Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura. Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga. Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.” Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri. Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo. Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu. Uye Mwari akati, “Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku, uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore, uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi. Mwari akazviisa panzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika, kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina. Uye Mwari akati, “Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.” Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Mwari akazviropafadza akati, “Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu. Uye Mwari akati, “Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu maererano namarudzi azvo: mombe, zvisikwa zvinokambaira panyika, nezvikara zvesango, chimwe nechimwe nemhando yacho.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi adzo, mombe namarudzi adzo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.” Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.” Ipapo Mwari akati, “Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichava zvokudya zvenyu. Uye kumhuka dzose dzapanyika neshiri dzose dzedenga nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvose zvinofema, ndinozvipa miriwo minyoro kuti zvive zvokudya zvazvo.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akaona zvose zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitanhatu. Naizvozvo matenga nenyika zvakapera mukushongedzwa kukuru kwazvo kwose. Pazuva rechinomwe Mwari akanga apedza basa raakanga achiita; saka pazuva rechinomwe akazorora pamabasa ake ose. Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita. Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa. Jehovha Mwari paakaita nyika namatenga, uye kwakanga kusati kwava namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika, asi hova dzaibuda dzichibva pasi uye dzichinyorovesa pasi pose, Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu. Zvino Jehovha Mwari akanga adyara bindu kumabvazuva, muEdheni; uye akaisa munhu waakanga aumba imomo. Uye Jehovha Mwari akaita mhando dzose dzemiti kuti dzimere kubva muvhu, miti yaifadza meso uye yakanga yakanaka pakudya. Pakati pebindu pakanga pano muti woupenyu nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. Rwizi rwaidiridza bindu rwaiyerera ruchibva muEdheni; kubva imomo rwakaparadzana rukava hova ina. Zita rerwokutanga ndiPishoni; runopoterera nomunyika yose yeHavhira, imomo mune goridhe. (Goridhe romunyika iyoyo rakanaka; uyewo dheriamu nebwe reonikisi zvirimo.) Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia. Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; runoyerera ruchitevedza rutivi rwamabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi. Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta. Uye Jehovha Mwari akarayira munhu achiti, “Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu; asi haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti pauchaudya uchafa zvirokwazvo.” Jehovha Mwari akati, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.” Zvino Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyisa kumunhu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nomunhu, ndiro rakava zita racho. Saka munhu akatumidza mazita kumombe dzose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi kuna Adhamu kwakanga kusina kuwanikwa mubatsiri akamukwanira. Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu avate hope huru; uye paakanga achakavata, akatora rumwe rumbabvu rwomunhu akavhara nenyama nzvimbo yaakarubvisa. Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume. Murume akati, “Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu; achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.” Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe. Murume nomukadzi wake vakanga vasina kusimira vose, uye havana kutongonyara. Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?” Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu, asi Mwari akati, ‘Hatifaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.’ ” Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo. Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.” Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya. Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo. Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu. Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?” Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.” Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?” Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.” Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.” Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi, “Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, kupfuura mhuka dzose dzesango! Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi; achapwanya musoro wako, uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.” Kumukadzi akati, “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana; uchabereka vana mukurwadziwa. Kuda kwako kuchava kumurume wako, uye achava nesimba pamusoro pako.” Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’ “Ivhu ratukwa nokuda kwako; mukushanda kunorwadza, uchadya zvibereko zvaro mazuva ose oupenyu hwako. Richakuberekera minzwa norukato, uye uchadya miriwo yomusango. Neziya rechiso chako uchadya zvokudya zvako kusvikira wadzokera kuguruva, sezvo wakatorwa kwariri; nokuti uri guruva, kuguruva uchadzokera.” Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose. Jehovha Mwari akaitira Adhamu nomukadzi wake nguo dzamatehwe uye akavafukidza. Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.” Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu. Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.” Mushure akabereka munun'una wake Abheri. Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu. Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha. Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake, asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Wakatsamweiko? Seiko chiso chako chakaunyana? Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakavandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.” Zvino Kaini akati kumunun'una wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa munun'una wake Abheri akamuuraya. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko munun'una wako Abheri?” Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womunun'una wangu here?” Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romunun'una wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu. Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romunun'una wako kubva paruoko rwako. Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.” Kaini akati kuna Jehovha, “Kurangwa kwangu kunopfuura zvandinokwanisa kutakura. Nhasi muri kundidzinga kubva panyika, uye ndichavanzwa pamberi penyu; ndichava mudzungairi asina zororo panyika, uye ani naani achandiwana achandiuraya.” Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya. Saka Kaini akabva pamberi paJehovha akandogara munyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni. Kaini akarara nomukadzi wake, akava nemimba akamuberekera Enoki. Ipapo Kaini akanga achivaka guta, uye akaritumidza zita romwanakomana wake Enoki. Enoki akaberekerwa Iradhi, uye Iradhi akanga ari baba vaMehujaeri, uye Mehujaeri akanga ari baba vaMetushaeri, uye Metushaeri akanga ari baba vaRameki. Rameki akawana vakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha uye mumwe ainzi Zira. Adha akabereka Jabhari, ndiye akanga ari baba vavaya vanogara mumatende uye aipfuwa mombe. Zita romunun'una wake rainzi Jubhari; akanga ari baba wavose vanoridza rudimbwa nenyere. Zira akanga ano mwanakomana, Tubhari-Kaini, aigadzira nhumbi dzemhando dzose dzendarira nedzesimbi. Hanzvadzi yaTubhari-Kaini yainzi Naama. Rameki akati kuvakadzi vake, “Adha naZira, nditeererei; imi vakadzi vaRameki, inzwai mashoko angu. Ndauraya munhu nokuti andikuvadza, nejaya nokuti randipwanya. Kana Kaini achitsiviwa kanomwe, naizvozvo Rameki kana makumi manomwe namanomwe.” Adhamu akararazve nomukadzi wake, akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Seti, achiti, “Mwari andipa mumwe mwana panzvimbo yaAbheri, sezvo Kaini akamuuraya.” Setiwo akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyo vanhu vakatanga kudana kuzita raJehovha. Iyi ndiyo rondedzero yakanyorwa yorudzi rwaAdhamu. Mwari paakasika munhu akamuita nomufananidzo waMwari. Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.” Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti. Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama kwamakore mazana masere uye akaberekazve vamwe vanakomana navanasikana. Pamwe chete, Adhamu akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matatu, uye ipapo akafa. Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi. Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa. Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani. Uye shure kwokubereka kwake Kenani, Enoshi akararama kwamakore mazana masere ane gumi namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. Pamwe chete, Enoshi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa. Kenani akati ararama kwamakore makumi manomwe, akabereka Maharareri. Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa. Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi. Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa. Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki. Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana. Pamwe chete, Jaredhi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, uye ipapo akafa. Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera. Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu. Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora. Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki. Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa. Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha.” Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa. Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti. Vanhu vakati vatanga kuwanda panyika uye vanasikana vakaberekwa kwavari, vanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vavanhu vakanga vakanaka, uye vakazviwanira upi zvake wavakasarudza. Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, nokuti inyama; mazuva ake achava makore zana namakumi maviri.” VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana vaMwari vakapinda kuvasikana vavanhu vakaita vana navo. Vakanga vari mhare dzakare, vanhu vaiva nomukurumbira. Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzokufunga kwomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa. Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha. Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa. Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari. Noa akanga ana vanakomana vatatu vaiti: Shemu, Hamu naJafeti. Zvino nyika yakanga yaora pamberi paMwari uye yakanga yazara nokurwisana. Mwari akaona kuti nyika yakanga yaora sei, nokuti vanhu vose panyika vakanga vaodza nzira dzavo. Saka Mwari akati kuna Noa, “Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika. Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze. Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatua, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanub uye makubhiti makumi matatuc pakukwirira kwayo. Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe cheted kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro. Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara. Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri. Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe. Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu. Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.” Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari. Ipapo Jehovha akati kuna Noa, “Pindai muareka iwe nemhuri yako yose nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama murudzi urwu. Utore mhando dzemhuka dzose dzakanaka nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo uye mbiri mbiri pamhando dzose dzemhuka dzisina kunaka, mukono nehadzi yayo, uyewo nomwe nomwe pamhando dzose dzeshiri, mukono nehadzi, kuti uraramise marudzi azvo akasiyana-siyana munyika yose. Mazuva manomwe kubva zvino ndichanayisa mvura panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, uye ndichabvisa pamusoro penyika zvisikwa zvipenyu zvose zvandakaita.” Uye Noa akaita zvose zvaakarayirwa naJehovha. Noa akanga ava namakore mazana matanhatu okuberekwa panguva yakanaya mvura yamafashamu panyika. Uye Noa navanakomana vake nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vakapinda muareka kuti vapunyuke pamvura yamafashamu. Zviviri zviviri zvemhuka dzakanaka nedzisina kunaka, zviviri zviviri zveshiri nezvezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, mukono nehadzi, zvakauya kuna Noa ndokupinda muareka, sezvakanga zvarayirwa naMwari kuna Noa. Uye shure kwamazuva manomwe mvura yamafashamu yakasvika panyika. Mugore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, pazuva regumi namanomwe romwedzi wechipiri, pazuva iro zvitubu zvose zvapakadzika zvakatubuka, uye masuo amafashamu okudenga akazarurwa. Uye mvura yakanaya panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana. Pazuva racho iroro, Noa navanakomana vake, Shemu, Hamu naJafeti, pamwe chete nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vatatu, vakapinda muareka. Vakanga vane mhuka dzose dzesango namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo neshiri dzose namarudzi adzo, nezvose zvina mapapiro. Zviviri zviviri pazvisikwa zvose zvino upenyu mazviri zvakauya kuna Noa zvikapinda muareka. Mhuka dzaipinda dzaiva mukono nehadzi pazvipenyu zvose, sezvakanga zvarayirwa Noa naMwari. Ipapo Jehovha akamupfigira mukati. Mafashamu akaramba achingouya panyika kwamazuva makumi mana, uye mvura sezvayakaramba ichiwanda yakasimudza areka pamusoro-soro penyika. Mvura zhinji yakasimuka uye ikawanda zvikuru panyika, uye areka ikayangarara pamusoro pemvura. Yakakwira kwazvo pamusoro penyika, uye makomo ose marefu ari pasi pedenga akafukidzwa. Mvura zhinji yakasimuka ikafukidza makomo kusvikira pamakubhiti gumi namashanua kudzika kubva pamusoro pawo. Zvipenyu zvose zvinokambaira panyika zvakaparara, shiri, zvipfuwo, mhuka dzesango, zvisikwa zvose zvakafararira pamusoro penyika, namarudzi ose avanhu. Zvinhu zvose zvakanga zvino kufema kwoupenyu mumhino dzazvo panyika zvakafa. Zvinhu zvose zvipenyu zvaiva pamusoro penyika zvakaparadzwa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira panyika neshiri dzedenga zvakaparadzwa kubva panyika. Noa bedzi ndiye akasiyiwa navaya vaiva naye muareka. Mvura zhinji yakafukidza nyika kwamazuva makumi mashanu. Asi Mwari akarangarira Noa nemhuka dzose dzesango nezvipfuwo zvakanga zvinaye muareka, uye akatuma mhepo pamusoro penyika, uye mvura zhinji ikaserera. Zvino zvitubu zvepakadzika uye masuo amafashamu okudenga zvakanga zvazarirwa, uye mvura yakanga yaguma kunaya kubva kudenga. Mvura yakaserera zvishoma nezvishoma kubva panyika. Pakupera kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yakanga yadzika, uye pazuva regumi namanomwe romwedzi wechinomwe, areka yakagara pamakomo eArarati. Mvura yakaramba ichiserera kusvikira pamwedzi wegumi, uye pazuva rokutanga romwedzi wegumi misoro yamakomo yakatanga kuonekwa. Shure kwamazuva makumi mana, Noa akazarura windo raakanga aita muareka, uye akatuma gunguo, uye rakaramba rechibhururuka kuno nokoko kusvikira mvura yapwa panyika. Ipapo akatuma njiva kuti aone kana mvura yakanga yaserera kubva pamusoro penyika. Asi njiva haina kuwana nzvimbo yokumhara nokuti mvura yakanga iri pose pose; saka yakadzokera kuna Noa muareka. Iye akatambanudza ruoko rwake akadzorera njiva muareka maaiva. Akarindira kwamamwezve mazuva manomwe uye akabudisazve njiva muareka. Njiva yakati yadzokera kwaari panguva yamanheru, onei heyo mumuromo mayo yakaruma shizha nyoro rakatanhwa pamuorivhi! Ipapo Noa akaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika. Akamirirazve kwamamwe mazuva manomwe uye akabudisazve njiva, asi panguva iyi haina kuzodzoka kwaari. Pazuva rokutanga romwedzi wokutanga wegore ramazana matanhatu nerimwe aNoa, mvura yakanga yapwa panyika. Ipapo Noa akabvisa chifukidziro cheareka akaona kuti pamusoro penyika pakanga paoma. Pazuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yaoma kwazvo. Ipapo Mwari akati kuna Noa, “Budai muareka, iwe nomukadzi wako navanakomana vako navakadzi vavo. Budisa mhando dzose dzezvisikwa zvipenyu zvaunazvo, shiri, mhuka nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, kuitira kuti zvibereke uye zvive zvizhinji pamusoro payo.” Saka Noa akabuda, pamwe chete navanakomana vake nomukadzi wake uye navakadzi vavanakomana vake. Mhuka dzose nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika neshiri dzose, zvinhu zvose zvinofamba panyika, zvakabuda muareka, rudzi ruchitevera rumwe. Ipapo Noa akavakira Jehovha aritari, uye akatora dzimwe dzemhuka dzose dzakanaka neshiri dzakanaka, akabayira zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo. Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka akati mumwoyo make, “Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu, kunyange hazvo kufunga kwomwoyo wake kwakaipa kubva pakuberekwa kwake. Uye handichazoparadzazve zvisikwa zvipenyu zvose, sezvandakaita. “Kana nyika ichingovapo, nguva dzokudyara nedzokukohwa, kutonhora nokupisa, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingatongogumi.” Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika. Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai nokukuvhundukai, zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa; zvakapiwa mumaoko enyu. Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose. “Asi hamufaniri kudya nyama, ropa rayo roupenyu richiri mairi. Uye zvirokwazvo ndichatsvaka kuti muzvidavirire nokuda kweropa roupenyu hwenyu. Ndichatsvaka kuti muzvidavirire pamhuka dzose. Uye kubvawo pamunhu mumwe nomumwe, ndichatsvaka kuti azvidavirire nokuda kwoupenyu hwomunhu wokwake. “Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti nomufananidzo waMwari, Mwari akaita munhu. “Kana murimi, berekanai uye muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.” Ipapo Mwari akati kuna Noa navanakomana vaaiva navo, “Zvino ndava kusimbisa sungano yangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera, uye nezvisikwa zvipenyu zvose zvakanga zvinewe, shiri, zvipfuwo nemhuka dzose dzesango, dzose dziya dzakabuda newe muareka, zvisikwa zvipenyu zvose zviri panyika. Ndiri kusimbisa sungano yangu newe: Zvipenyu zvose hazvichatongoparadzwizve nemvura yamafashamu; hakuchatongovizve namafashamu okuti aparadze nyika.” Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya: Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. Pose pandinouyisa makore, pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore, ndicharangarira sungano yangu pakati pangu nemi nezvisikwa zvipenyu zvose zvamarudzi ose. Mvura haingatongoitizve mafashamu kuti iparadze zvipenyu zvose. Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.” Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.” Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.) Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika. Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa. Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake. Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza vanun'una vake vaiva panze. Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo. Noa akati amuka kubva pawaini yake uye akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku, akati, “Kenani ngaatukwe! Achava muranda wavaranda kuvakuru vake.” Akatiwo, “Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu! Kenani ngaave muranda waShemu. Mwari ngaakurise nyika yaJafeti; Jafeti ngaagare mumatende aShemu, uye Kenani ngaave muranda wake.” Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu. Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa. Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu, Hamu naJafeti, vana vaNoa, avo vakaitawo vanakomana mushure mamafashamu. Vanakomana vaJafeti vanoti: Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Jubhari, Mesheki naTirasi. Vanakomana vaGomeri vanoti: Ashikenazi, Rifati naTogarima. Vanakomana vaJavhani vanoti: Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhonimi. (Kubva kwavari ivava vanhu vomumahombekombe egungwa vakapararira munyika dzavo, nedzimba dzavo pakati pendudzi dzavo, rudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.) Vanakomana vaHamu vanoti: Kushi, Miziraimi, Puti naKenani. Vanakomana vaKushi vanoti: Sebha, Havhira, Sabhata, Rama naSabhuteka. Vanakomana vaRaama vanoti: Shebha naDhedhani. Kushi akanga ari baba vaNimirodhi, uyo akanga ari murwi ane simba panyika. Akanga ari muvhimi mukuru pamberi paJehovha; ndokusaka zvichinzi, “SaNimirodhi, muvhimi mukuru pamberi paJehovha.” Maguta okutanga oumambo hwake akanga ari Bhabhironi, Ereki, Akadhi neKarine, munyika yeShinari. Achibva munyika iyoyo akaenda kuAsiria, uko kwaakandovaka Ninevhe, Rehobhoti Iri, Kara neReseni, riri pakati peNinevhe neKara; rinova ndiro guta guru. Miziraimi akanga ari baba veava: vaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi, vaPaturusi, vaKasiruhi (kunova ndiko kwakabva vaFiristia) navaKafutori. Kenani akanga ari baba veava: Sidhoni dangwe rake, navaHiti, vaJebhusi, vaAmori, vaGirigashi, vaHivhi, vaAriki, vaSini, vaAvhadhi, vaZemari navaHamati. Shure kwaizvozvo dzimba dzavaKenani dzakapararira, uye miganhu yavaKenani yakasvika kuSidhoni yakananga kuGerari kusvikira kuGaza, uyezve yakananga kuSodhomu, Gomora, Adhima neZebhoimi, kusvikira kuRasha. Ava ndivo vanakomana vaHamu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo. Shemu akaberekerwawo vanakomana, mukoma wake akanga ari Jafeti; Shemu akanga ari tateguru wavanakomana vose vaEbheri. Vanakomana vaShemu vaiti: Eramu, Ashuri, Afakisadhi, Rudhi naAramu. Vanakomana vaAramu vaiti: Uzi, Huri, Geteri naMesheki. Afakisadhi akanga ari baba vaShera, uye Shera ari baba vaEbheri. Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri: Mumwe ainzi Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun'una wake rainzi Jokitani. Jokitani akanga ari baba va: Arimodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera, Hadhoramu, Uzari, Dhikira, Obhari, Abhimaeri, Shebha, Ofiri, Havhita naJobhabhu. Vose ava vakanga vari vanakomana vaJokitani. Dunhu ravaigara raibvira kuMesha rakananga kuSefari, kunyika yezvikomo yokumabvazuva. Ava ndivo vanakomana vaShemu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo. Idzi ndidzo dzimba dzavanakomana vaNoa maererano nezvizvarwa zvavo, pakati pendudzi dzavo. Kubva kuna ava ndudzi dzakapararira pamusoro penyika shure kwamafashamu. Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana. Vanhu vakati vachitamira kumabvazuva, vakawana bani romuShinari uye vakagaramo. Vakataurirana vakati, “Uyai, ngatiitei zvidhina tigozvipisa kwazvo.” Vakashandisa zvidhina pachinzvimbo chamabwe, uye bhitumiti rikava dhaka ravo. Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.” Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu. Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera. Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.” Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta. Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose. Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu. Makore maviri shure kwamafashamu, Shemu paakanga ava namakore zana okuberekwa, akabereka Afakisadhi. Uye shure kwokubereka Afakisadhi, Shemu akararama kwamakore mazana mashanu uye akava navamwe vanakomana navanasikana. Afakisadhi akati ava namakore makumi matatu namashanu okuberekwa, akabereka Shera. Uye shure kwokubereka kwake Shera, Afakisadhi akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Shera akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Ebheri. Uye shure kwokubereka kwake Ebheri, Shera akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Ebheri akati ava namakore makumi matatu namana okuberekwa, akabereka Perezi. Uye shure kwokubereka kwake Perezi, Ebheri akararama kwamakore mazana mana namakumi matatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Peregi akati ava namakore makumi matatu, okuberekwa akabereka Reu. Uye shure kwokubereka kwake Reu, Peregi akararama kwamakore mazana maviri namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Reu akati ava namakore makumi matatu namaviri okuberekwa, akabereka Serugi. Uye shure kwokubereka kwake Serugi, Reu akararama kwamakore mazana maviri namanomwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Serugi akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Nahori. Uye shure kwokubereka kwake Nahori, Serugi akararama kwamakore mazana maviri uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Nahori akati ava namakore makumi maviri namapfumbamwe okuberekwa, akabereka Tera. Uye shure kwokubereka kwake Tera, Nahori akazorarama kwamakore zana negumi namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Shure kwokunge Nahori ava namakore makumi manomwe okuberekwa, akabereka Abhurama, Nahori naHarani. Iyi ndiyo rondedzero yavana vaTera. Tera akabereka Abhurama, Nahori naHarani. Uye Harani akabereka Roti. Baba vake Tera vachiri vapenyu Harani akafira muUri ravaKaradhea, munyika yaakaberekerwa, vose vari vaviri Abhurama naNahori vakawana. Zita romukadzi waAbhurama rainzi Sarai, uye zita romukadzi waNahori rainzi Mirika; akanga ari mwanasikana waHarani, baba vaMirika naIsika. Zvino Sarai akanga asingabereki; akanga asina vana. Tera akatora mwanakomana wake Abhurama, muzukuru wake Roti, mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mukadzi womwanakomana wake Abhurama, uye vakaenda kuUri yavaKaradhea pamwe chete kuti vaende kuKenani. Asi vakati vasvika paHarani, vakagara ipapo. Tera akararama kwamakore mazana maviri namashanu, uye akafira paHarani. Jehovha akanga ati kuna Abhurama, “Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza. “Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ndichaita kuti zita rako rive guru, uye iwe uchava ropafadzo. Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza, uye ani naani anokutuka ndichamutuka; uye marudzi ose ari panyika acharopafadzwa kubudikidza newe.” Saka Abhurama akabva, sezvaakanga audzwa naJehovha; uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga ava namakore makumi manomwe namashanu okuberekwa paakasimuka kubva paHarani. Akatora mukadzi wake Sarai, mwanakomana womunun'una wake Roti, pfuma yose yavakanga vava nayo, navanhu vavakanga vawana muHarani, uye vakasimuka vakaenda kunyika yeKenani, uye vakasvika ikoko. Abhurama akafamba nomunyika kusvikira panzvimbo yomuti mukuru weMore paShekemu. Panguva iyoyo vaKenani vakanga vari munyika. Jehovha akazviratidza kuna Abhurama akati, “Ndichapa nyika iyi kuvana vako.” Saka akavakira Jehovha aritari ipapo, iye akanga azviratidza kwaari. Kubva ipapo akaenda mberi akananga kuzvikomo zviri kumabvazuva kweBheteri uye akadzika tende rake ikoko, Bheteri riri kumavirira uye Ai riri kumabvazuva. Akavakira Jehovha aritari ipapo uye akadana kuzita raJehovha. Uye Abhurama akasimuka akaenda mberi akananga kuNegevhi. Zvino nzara yakanga iripo panyika, uye Abhurama akaburuka akaenda kuIjipiti kuti andogara ikoko kwechinguva nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo. Paakanga oda kupinda muIjipiti, akati kumukadzi wake, Sarai, “Ndinoziva kuti uri mukadzi akanakisa. Pauchaonekwa navaIjipita, vachati, ‘Uyu ndiye mukadzi wake.’ Ipapo vachandiuraya asi iwe vachakurega uri mupenyu. Saka uti uri hanzvadzi yangu, kuti ndigobatwa zvakanaka nokuda kwako uye upenyu hwangu hucharwirwa nokuda kwako.” Abhurama akati asvika kuIjipiti, vaIjipita vakaona kuti akanga ane mukadzi akanaka kwazvo. Uye machinda aFaro vakati vamuona, vakandomurumbidza kuna Faro, uye vakabva vamutora vakamupinza mumuzinda wake. Akabata Abhurama zvakanaka nokuda kwake, uye Abhurama akava namakwai nemombe, makono embongoro namakadzi, varandarume navarandakadzi uye nengamera. Asi Jehovha akatambudza Faro neveimba yake nehosha yakaipisisa nokuda kwaSarai mukadzi waAbhurama. Saka Faro akadana Abhurama uye akati, “Waiteiko kwandiri? Wakaregereiko kundiudza kuti uyu mukadzi wako? Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu,’ nokudaro ndakamutora kuti ave mukadzi wangu? Naizvozvo zvino, hoyu mukadzi wako. Mutore uende!” Ipapo Faro akarayira varanda vake pamusoro paAbhurama, uye vakamurega achienda nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo. Saka Abhurama akakwira achibva kuIjipiti akaenda kuNegevhi, nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo, uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga apfuma kwazvo pamombe nesirivha uye negoridhe. Kubva kuNegevhi akafamba nzvimbo nenzvimbo kusvikira asvika kuBheteri, kunzvimbo iri pakati peBheteri neAi kwaimbova netende rake kare uye kwaakanga atanga kuvaka aritari. Abhurama akadana kuzita raJehovha ikoko. Zvino Roti, uyo akanga achifamba naAbhurama, akanga ana makwai nemombewo namatende. Asi nyika haina kugona kuvaringana kuti vagare pamwe chete, nokuti pfuma yavo yakanga yakawanda kwazvo zvokuti vakanga vasisakwanisi kugara pamwe chete. Uye gakava rakamuka pakati pavafudzi vaAbhurama navafudzi vaRoti. VaKenani navaPerezi vakanga vachigarawo munyika panguva iyoyo. Saka Abhurama akati kuna Roti, “Ngaparege kuva negakava pakati pako neni, kana pakati pavafudzi vako nevangu, nokuti tiri hama. Ko, nyika yose iyi haisi pamberi pako here? Ngatiparadzane. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akatarira kumusoro akaona bani rose reJorodhani kuti rakanga rakanyatsonyorova, sebindu raJehovha, kufanana nenyika yeIjipiti, kwakanangana neZoari. (Panguva iyi Jehovha akanga achigere kuparadza Sodhomu neGomora.) Saka Roti akazvisarudzira bani rose reJorodhani uye akasimuka akananga kumabvazuva. Varume vaviri ava vakaparadzana: Abhurama akagara munyika yeKenani, Roti akagara pakati pamaguta omumapani uye akadzika matende ake pedyo neSodhomu. Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa uye vaitadzira Jehovha kwazvo. Jehovha akati kuna Abhurama shure kwokubva kwaRoti, “Simudza meso ako uri pauri ipapo uye utarire kumusoro nezasi, kumabvazuva nokumavirira. Nyika yose yauri kuona ndichakupa iwe navana vako nokusingaperi. Ndichaita kuti vana vako vave seguruva renyika, zvokuti kana pano munhu angagona kuverenga guruva, naizvozvo vana vako vachagona kuverengwawo. Enda, famba munyika, muurefu nomuupamhi hwayo, nokuti ndichaipa kwauri.” Saka Abhurama akabvisa matende ake uye akandogara pedyo nemiti mikuru yeMamure paHebhuroni, uye akavakira Jehovha aritari ipapo. Panguva iyoyo Amuraferi mambo weShinari, Arioki mambo weErasa, Kedhoraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoyimi vakaenda kundorwa naBhera mambo weSodhomu, Bhirisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhima, Shemebheri mambo weZebhoyimi, uye namambo weBhera (ndiro Zoari). Madzimambo ose akatevera aya akabatana pakurwa muMupata weSidhimi (ndiro Gungwa roMunyu). Vakanga vari varanda vaKedhoraomeri kwamakore gumi namaviri, asi vakamumukira mugore regumi namatatu. Mugore regumi namana, Kedhoraomeri namadzimambo ainzwana naye vakabuda vakandokunda vaRefaiti muAshiteroti Kanaimi, ivo vaZuzi muHamu, vaEmi muShavhe Kiriataimi navaHori munyika yezvikomo yeSeiri, kusvikira kuEri Parani pedyo negwenga. Ipapo vakadzokera vakaenda kuEni Mishipati (ndiro Kadheshi), uye vakakunda nyika yose yavaAmareki, pamwe chete navaAmori vakanga vachigara muHazazoni Tamari. Ipapo mambo weSodhomu, mambo weGomora, mambo weAdhima, mambo weZebhoimi namambo weBhera (ndiro, Saori) vakabuda vakamira panzvimbo yavo yehondo muMupata weSidhimi kuti varwe naKedhoraomeri mambo weEramu, Tidhari mambo weGoyimi, Amuraferi mambo weShinari naArioki mambo weErasa, madzimambo mana achirwa namadzimambo mashanu. Zvino mupata weSidhimi wakanga uzere namakomba etara, uye madzimambo eSodhomu neGomora paakatiza, vamwe varume vakawira maari uye vakasara vakatizira kuzvikomo. Madzimambo mana aya akatora pfuma yose yeSodhomu neGomora nezvokudya zvavo zvose; vakaenda. Vakatorawo Roti mwanakomana womunun'una waAbhurama nepfuma yake, sezvo akanga achigara muSodhomu. Mumwe akapunyuka akauya akasvikoudza Abhurama muHebheru. Zvino Abhurama akanga achigara pedyo nemiti mikuru yaMamure muAmori, munun'una waEshikori naAneri, avo vose vainzwana naAbhurama. Abhurama akati anzwa kuti hama yake yakanga yatapwa, akadana varume vakanga vadzidziswa kurwa mazana matatu negumi navasere vakaberekerwa mumba make vakavatevera kusvikira paDhani. Abhurama akapatsanura vanhu vake panguva dzousiku kuti vandovarwisa, uye vakavakunda, vakavatevera kusvikira paHobhabhi, kumusoro kweDhamasiko. Akadzosa zvinhu zvose uye akadzosawo hama yake Roti nepfuma yake, pamwe chete navakadzi navamwe vanhu. Shure kwokudzoka kwaAbhurama akunda Kedhoraomeri namadzimambo akanga abatana naye, mambo weSodhomu akabuda kuti azosangana naye muMupata weShavhe (ndiwo Mupata waMambo). Ipapo Merekizedheki mambo weSaremu akamuvigira chingwa newaini. Akanga ari muprista waMwari Wokumusoro-soro, uye akaropafadza Abhurama, achiti, “Abhurama ngaaropafadzwe naMwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi. Uye Mwari Wokumusoro-soro ngaakudzwe, akaisa vavengi vako muruoko rwako.” Ipapo Abhurama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Mambo weSodhomu akati kuna Abhurama, “Ndipe vanhu uzvichengetere hako pfuma.” Asi Abhurama akati kuna mambo weSodhomu, “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi, uye ndakaita mhiko kuti handizogamuchiri chinhu chako, kunyange rushinda kana rukanda rweshangu, kuti urege kuzoti, ‘Ndakapfumisa Abhurama.’ Handina chinhu chandinogamuchira kunze kwezvakadyiwa navanhu vangu uye mugove wavanhu vakaenda neni, Aneri, Shikori naMamure. Ngavatore mugove wavo ivavo.” Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhurama muchiratidzo richiti: “Usatya, Abhurama. Ndiri nhoo yako, mubayiro wako mukuru chaizvo.” Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, muchandipeiko sezvo ndisina mwana uye Eriezeri weDhamasiko ndiye achava mudyi wenhaka yangu here?” Uye Abhurama akati, “Hamuna kundipa vana; saka muranda ari mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.” Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti, “Murume uyu haangavi mudyi wenhaka yako, asi mwanakomana anobva mumuviri wako ndiye achava mudyi wenhaka yako.” Akamutora akamubudisa panze akati, “Tarisa kumusoro kumatenga uye uverenge nyeredzi uone zvirokwazvo kana ukakwanisa kudziverenga.” Ipapo akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.” Abhurama akatenda Jehovha, uye iye akamuti ndiko kururama kwake. Akatiwo kwaari, “Ndini Jehovha, akakubudisa munyika yeUri yavaKaradhea kuti ndikupe nyika iyi kuti uitore ive yako.” Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndingaziva seiko kuti ndichaitora?” Saka Jehovha akati kwaari, “Ndivigire tsiru, mbudzi negondohwe, chimwe nechimwe chazvo china makore matatu pamwe chete nenjiva uye nehangaiwa.” Abhurama akauyisa zvose izvi kwaari, akazvigura napakati uye akaronga hafu dzacho dzakatarisana; asi shiri haana kudzipamura napakati. Ipapo shiri dzinodya nyama dzakaburukira panyama, asi Abhurama akadzidzinga. Zuva parakanga rovira, Abhurama akabatwa nehope huru, uye rima guru rinotyisa rakauya pamusoro pake. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Uzive zvirokwazvo kuti zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isati iri yavo, uye vachabatwa senhapwa uye vachibatwa zvakaipa kwamakore mazana mana. Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa, uye shure kwaizvozvo vachabuda vaine pfuma zhinji kwazvo. Kunyange zvakadaro, iwe uchaenda kumadzibaba ako norugare uye uchavigwa wakwegura kwazvo. Parudzi rwechina, zvizvarwa zvako zvichadzoka pano, nokuti chivi chavaAmori hachisati chasvika pakuzara kwacho.” Zuva rakati ravira, uye kwasviba, choto chinopfungaira utsi uye nomwenje unopfuta zvakaonekwa uye zvikapfuura napakati penhindi. Pazuva iro, Jehovha akaita sungano naAbhurama akati, “Nyika iyi ndinoipa kuzvizvarwa zvako, kubva kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, Yufuratesi, nyika yavaKeni, navaKenazi, vaKadhimoni, vaHiti, vaPerizi, vaRefaimi, vaAmori, vaKenani, vaGirigashi navaJebhusi.” Zvino Sarai, mukadzi waAbhurama, akanga asina kumuberekera vana. Asi iye akanga ano murandakadzi wechiIjipita ainzi Hagari; saka akati kuna Abhurama, “Jehovha akandikonesa kubereka vana. Enda hako undovata nomurandakadzi wangu; zvimwe ndingaita mhuri kubudikidza naye.” Abhurama akabvuma zvakanga zvataurwa naSarai. Saka shure kwokugara kwaAbhurama kwamakore gumi muKenani, Sarai mukadzi wake akatora Hagari murandakadzi wake wechiIjipita akamupa kumurume wake kuti ave mukadzi wake. Akavata naHagari uye Hagari akabata pamuviri. Paakaziva kuti akanga ava napamuviri, akatanga kuzvidza tenzikadzi wake. Ipapo Sarai akati kuna Abhurama, “Ndiwe waita kuti nditambudzike. Ndakaisa murandakadzi wangu mumaoko ako, uye zvino, ava kuziva kuti ava napamuviri, ava kundizvidza. Mwari ngaatonge pakati pangu newe.” Abhurama akati, “Murandakadzi wako ari mumaoko ako. Ita naye zvaunofunga kuti zvakaisvonaka.” Ipapo Sarai akabata Hagari zvakaipa; saka akatiza. Mutumwa waJehovha akawana Hagari ari pedyo netsime raiva murenje; rakanga riri tsime rakanga riri parutivi pomugwagwa unoenda kuShuri. Uye akati, “Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko, uye uri kuendepiko?” Iye akati, “Ndiri kutiza kubva kuna tenzikadzi wangu Sarai.” Ipapo mutumwa waJehovha akati kwaari, “Dzokera kuna tenzikadzi wako undozvininipisa pasi pake.” Mutumwa akatizve, “Ndichawandisa zvizvarwa zvako zvokuti havangaverengeki.” Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari: “Iye zvino wava nemimba uye uchava nomwanakomana. Uchamutumidza zita rokuti Ishumaeri, nokuti Jehovha anzwa nezvokutambura kwako. Achava mbizi yomunhu: ruoko rwake rucharwa navanhu vose uye ruoko rwavanhu vose rucharwa naye, uye achararama mukupesana nehama dzake dzose.” Hagari akapa zita iri kuna Jehovha akataura naye akati: “Ndimi Jehovha anondiona,” nokuti akati, “Zvino ndaona Iye anondiona.” Ndokusaka tsime rakanzi Bheeri Rahai Roi; richiripo, pakati peKadheshi neBheredhi. Saka Hagari akaberekera Abhurama mwanakomana, uye Abhurama akapa zita rokuti Ishumaeri kumwanakomana waakanga abereka. Abhurama akanga ava namakore makumi masere namatanhatu okuberekwa paakaberekerwa mwanakomana naHagari. Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama. Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.” Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari, “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji. Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji. Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi pakati pangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera kumarudzi achauya, kuti ndive Mwari wako naMwari wezvizvarwa zvako zvinotevera. Nyika yose yeKenani, mauri mutorwa zvino, ndichaipa kwauri nokusingaperi kuti ive yako nezvizvarwa zvako zvinokutevera; uye ini ndichava Mwari wavo.” Ipapo Mwari akati kuna Abhurahama, “Kana uriwe, unofanira kuchengeta sungano yangu, iwe nezvizvarwa zvako zvinokutevera kumarudzi achauya. Iyi ndiyo sungano yangu newe nezvizvarwa zvako zvinokutevera, sungano yaunofanira kuchengeta: Munhurume wose ari pakati penyu anofanira kudzingiswa. Munofanira kudzingiswa, uye ichi chichava chiratidzo chesungano pakati pangu newe. Kubva kumarudzi anotevera, mwanakomana mumwe nomumwe ari pakati penyu ava namazuva masere okuberekwa anofanira kudzingiswa, kusanganisa navaya vakaberekerwa mumba mako kana vakatengwa nemari kumutorwa, vaya vasiri vana vako. Angava akaberekerwa mumba mako kana akatengwa nemari yako, vanofanira kudzingiswa. Sungano yangu panyama yenyu inofanira kuva sungano isingaperi. Munhurume upi zvake, asina kudzingiswa panyama, achabviswa pavanhu vokwake; aputsa sungano yangu.” Mwari akatiwo kuna Abhurahama, “Kana ari Sarai mukadzi wako, hauchazomutizve Sarai; zita rake richanzi Sara. Ndichamuropafadza uye zvirokwazvo ndichakupa mwanakomana naye. Ndichamuropafadza kuitira kuti agozova mai vendudzi; madzimambo amarudzi achabva kwaari.” Abhurahama akawira pasi nechiso chake, akaseka uye akati mumwoyo make, “Ko, mwanakomana angaberekwa nomunhu ava namakore zana okuberekwa here? Ko, Sara angabereka mwana iye ava namakore makumi mapfumbamwe here?” Uye Abhurahama akati kuna Mwari, “Dai hazvo Ishumaeri agara hake pamaropafadzo enyu!” Ipapo Mwari akati, “Hongu, asi mukadzi wako Sara achakuberekera mwanakomana, uye uchamutumidza kuti Isaka. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi yezvizvarwa zvake zvinomutevera. Uye kana ari Ishumaeri, ndakanzwa: Ndichamuropfadza zvirokwazvo, ndichamuita kuti ave navana vazhinji uye ndichaita kuti vawande kwazvo. Achava baba vavatongi gumi navaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.” Asi ndichasimbisa sungano yangu naIsaka, uyo achaberekerwa iwe naSara nenguva ino gore rinouya. Akati apedza kutaura naAbhurahama, Mwari akakwira kubva paari. Pazuva racho iroro Abhurahama akatora mwanakomana wake Ishumaeri navose vakaberekwa mumba make kana vakanga vatengwa nemari, vanhurume vose vaiva mumba make, akavadzingisa, sezvaakanga audzwa naMwari. Abhurahama akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa paakadzingiswa, uye Ishumaeri mwanakomana wake akanga ava namakore gumi namatatu okuberekwa; Abhurahama naIshumaeri mwanakomana wake vakadzingiswa vose zuva rimwe chete iroro. Uye munhurume wose aiva mumba maAbhurahama, kusanganisa vaya vakaberekerwa mumba make kana vakanga vatengwa kubva kuvatorwa, vakadzingiswa pamwe chete naye. Jehovha akazviratidza kuna Abhurahama pedyo nemiti mikuru yeMamure panguva yaakanga agere pamukova wokupinda patende rake masikati zuva richipisa. Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi. Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu. Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu. Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.” Vakapindura vakati, “Zvakanaka, ita hako sezvawareva.” Saka Abhurahama akakurumidza kuenda kutende kuna Sara. Akati kwaari, “Kurumidza, tora zviero zvitatua zvoupfu hwakatsetseka uhukanye ugobika chingwa.” Ipapo iye akamhanyira kumombe akandosarudza mhuru yakaisvonaka, akaipa kumuranda, uyo akakurumidza kuigadzira. Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti. Vakamubvunza vakati, “Mukadzi wako Sara aripiko?” Iye akati, “Ari mutende umo.” Ipapo Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge seino, uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamukova wetende wakanga uri shure kwake. Abhurahama naSara vakanga vakwegura uye vava namakore mazhinji, uye Sara akanga atopfuura zera rokubereka vana. Saka Sara akaseka mumwoyo make paakafunga achiti, “Ndichazovawo nomufaro uyu here zvino shure kwokuchembera kwangu, vatenzi vangu vakwegura?” Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, “Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’ Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana.” Sara akatya, saka akareva nhema akati, “Handina kuseka.” Asi iye akati, “Hongu, waseka.” Varume vakati vasimuka kuti vaende, vakatarisa vakananga zasi kuSodhomu, uye Abhurahama akafamba navo achivaperekedza. Ipapo Jehovha akati, “Ko, ndichavanzira Abhurahama zvandiri kuda kuita here. Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye. Nokuti ndakamusarudza kuti agotungamirira vana vake neveimba yake kuti vachengete nzira yaJehovha nokuita zvakanaka nezvakarurama, kuitira kuti Jehovha agouyisa pamusoro paAbhurahama zvaakamuvimbisa.” Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.” Vanhu vaya vakabvapo uye vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Abhurahama akaramba amire pamberi paJehovha. Ipapo Abhurahama akaswedera kwaari akati, “Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here? Ko, kana muguta mune vanhu makumi mashanu vakarurama? Muchariparadza zvechokwadi here mukasasiya nzvimbo iyo nokuda kwavanhu makumi mashanu varimo? Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?” Jehovha akati, “Kana ndikawana vanhu vakarurama makumi mashanu vari muguta reSodhomu, ndichaponesa nzvimbo yose nokuda kwavo.” Ipapo Abhurahama akataurazve akati, “Zvino zvandatanga kudai kuti nditaure kuna Ishe, kunyange hazvo ndisiri chinhu asi guruva namadota, ko, kana kukashayikwa vashanu kuna vakarurama vana makumi mashanu? Muchaparadza guta rose nokuda kwavashanu ava here?” Akati, “Kana ndikawana makumi mana navashanu imomo, handingariparadzi.” Zvakarezve akataura kwaari akati, “Ko, kana kukawanikwa makumi mana chete?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi mana iwayo, handingaiti izvozvo.” Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai nditaure hangu. Ko, kana makumi matatu chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Handingaiti izvozvo kana ndikawana makumi matatu chete.” Abhurahama akati, “Zvino zvandatsunga hangu kudai kuti nditaure kuna Ishe, ko, kana makumi maviri akawanikwamo?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi maviri iwayo, handingariparadzi.” Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai hangu nditaurezve kamwe chete. Ko, kana gumi chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Nokuda kwaivavo gumi, handingariparadzi.” Jehovha akati apedza kutaura naAbhurahama, akabva, uye Abhurahama akadzoka kumba kwake. Vatumwa vaviri vakasvika muSodhomu madekwana, uye Roti akanga agere pasuo reguta. Akati achivaona, akasimuka kuti andosangana navo uye akakotamisa uso hwake pasi. Akati, “Madzishe angu, ndapota hangu tsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu. Mushambidze henyu tsoka dzenyu uye mugovata usiku huno, ipapo mugoenda henyu mangwana mangwanani.” Ivo vakati, “Kwete, tichavata hedu pachivara usiku huno.” Asi akavakumbirisa zvokuti vakatenda kuenda naye uye vakapinda mumba make. Akavagadzirira zvokudya, akabika chingwa chisina mbiriso, uye vakadya. Vasati vaenda kundovata, varume vose vaibva kumativi ose eguta reSodhomu, vose vaduku navakuru, vakakomba imba. Vakadana Roti vachiti, “Varipiko varume vapinda mumba mako usiku huno? Vaburitse kuno kwatiri kuti tivate navo.” Roti akabuda kunze kuti andosangana navo uye akapfiga mukova shure kwake, akati, “Kwete, shamwari dzangu. Regai kuita chinhu ichi chakaipa. p Tarirai, ndina vanasikana vaviri vasina kutongovata nomurume. Regai ndivabudisire kwamuri uye mungagona kuita zvamunoda navo. Asi musaita kana chinhu kuvarume ava, nokuti vakavanda pasi pedenga rangu.” Ivo vakati, “Suduruka!” Uye vakati, “Munhu uyu akauya pano ari mutorwa, asi zvino ava kuda kutitonga! Tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo.” Vakaramba vachimanikidza Roti uye vakaswedera mberi kuti vapaze gonhi. Asi varume vaiva mukati vakatambanudza maoko avo vakakwevera Roti mumba uye vakapfiga mukova. Ipapo vakapofumadza varume vakanga vari pamukova wemba, vaduku navakuru, zvokuti havana kuzogona kuona mukova. Varume vaviri vakati kuna Roti, “Una vamwe vanhu pano here, vakuwasha, vanakomana kana vanasikana, kana mumwe wako zvake ari muguta? Vabudise muno, nokuti tiri kuzoparadza nzvimbo ino. Kuchema kuna Jehovha pamusoro pavanhu ava kwakura zvokuti atituma kuzoriparadza.” Saka Roti akabuda akandotaura kuvakuwasha vake, vakanga vatsidza kuti vachawana vanasikana vake, akati, “Kurumidzai kubva panzvimbo ino, nokuti Jehovha ava kuda kuparadza guta!” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti aiita zveje-e navo. Mambakwedza, vatumwa vakakurudzira Roti vachiti, “Kurumidza! Tora mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo, kuti murege kuparadzwa kana guta roparadzwa.” Akati achinonoka, varume vakabata ruoko rwake uye namaoko omukadzi wake neavanasikana vake vaviri vakavabudisa zvakanaka kunze kweguta, nokuti Jehovha akavanzwira tsitsi. Vakati vachangovabudisa kunze, mumwe wavo akati, “Tizai nokuda kwoupenyu hwenyu! Musacheuka, uye musamira papi zvapo mubani! Tizirai kumakomo kuti murege kuparadzwa!” Asi Roti akati kwavari, “Kwete, madzibaba angu, ndapota! Muranda wenyu awana nyasha pamberi penyu, uye maratidza unyoro hukuru kwandiri zvamarwira upenyu hwangu. Asi handigoni kutizira kumakomo; njodzi iyi ingazondibata, uye ndingazofa. Tarirai, herino guta riri pedyo randingatizira kwariri, uye iduku zvaro. Regai nditizire kwariri, iduku kwazvo, handizvo here? Ipapo upenyu hwangu hucharwirwa.” Akati kwaari, “Zvakanaka, ndichaitawo zvawakumbira; handisi kuzoparadza guta rauri kureva. Asi chitizirai ikoko nokukurumidza, nokuti handigoni kuita chinhu chipi zvacho kusvikira masvika kwariri.” (Ndokusaka guta iro richinzi Zoari.) Kusvika kwakaita Roti paZoari, zuva rakanga rakwira pamusoro penyika. Ipapo Jehovha akanayisa safuri inopfuta pamusoro peSodhomu neGomora, zvichibva kudenga kuna Jehovha. Naizvozvo akaparadza maguta ayo uye nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta uyewo nezvose zvakanga zvamera munyika. Asi mukadzi waRoti akacheuka, akava shongwe yomunyu. Fume mangwana mangwanani Abhurahama akamuka akadzokera kunzvimbo yaakanga amira pamberi paJehovha. Akatarisa zasi kwakanangana nokuSodhomu neGomora, kwakatarisana nokunyika yose yebani, akaona utsi hwakawanda huchisimuka kubva panyika, kufanana noutsi hunobva pachoto. Saka Mwari akati paakaparadza maguta omubani, akarangarira Abhurahama, uye akabudisa Roti kubva panjodzi yakaparadza maguta makanga muchigara Roti. Roti navanasikana vake vaviri vakabva paZoari vakandogara mumakomo, nokuti akanga achitya kugara muZoari. Iye navanasikana vake vakagara mubako. Rimwe zuva mwanasikana wake mukuru akati kumuduku wake, “Baba vedu vakwegura, uye pano hapana varume vokuti vavate nesu, setsika yenyika yose. Ngatinwisei baba vedu waini uye tigorara navo kuti tichengetedze rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.” Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, uye mwanasikana mukuru akapinda akavata navo. Ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake. Pazuva rakatevera mwanasikana mukuru akati kumuduku wake, “Madeko ndakavata nababa vangu. Ngativanwiseizve waini usiku huno, uye iwe ugopinda undovata navo kuitira kuti tichengete rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.” Saka vakaita kuti baba vavo vanwezve waini usiku ihwohwo uye mwanasikana muduku akapinda akandovata navo. Iye haana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake. Saka vanasikana vose vaRoti vakava nemimba nababa vavo. Mwanasikana mukuru akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Moabhu; ndiye baba wavaMoabhu vanhasi. Mwanasikana muduku akavawo nomwanakomana, uye akamutumidza zita rokuti Bheni-Ami; ndiye baba wavaAmoni vanhasi. Zvino Abhurahama akabvapo akapinda mudunhu rokuNegevhi akandogara pakati peKadheshi neShuri. Akagara muGerari kwechinguva, uye ikoko Abhurahama akati kumukadzi wake Sara, “Ihanzvadzi yangu.” Ipapo Abhimereki mambo weGerari akatuma vanhu kuti vandotora Sara. Asi Mwari akauya kuna Abhimereki usiku mukurota uye akati kwaari, “Wakangoita somunhu akafa nokuda kwomukadzi wawatora; mukadzi womunhu.” Zvino Abhimereki akanga asati aswedera kwaari, saka akati, “Ishe, muchaparadza rudzi rusina mhosva here? Ko, iye haana kuti kwandiri, ‘Ihanzvadzi yangu’ here, naiyewo mukadzi haana kuti kwandiri ‘Ihanzvadzi yangu’ here? Ndakaita izvi nehana yakachena uye namaoko akachena.” Ipapo Mwari akati kwaari mukurota, “Hongu, ndinozviziva kuti wakaita izvi nehana yakachena, nokudaro ndakukonesa kuti unditadzire. Ndokusaka ndisina kukutendera kuti umubate. Zvino chidzosera mukadzi womurume uyu, nokuti muprofita, uye achakunyengeterera urarame. Asi kana usina kumudzosa, uzive kuti iwe navose vari vako muchafa.” Mangwanani akatevera Abhimereki akadana varanda vake vose, uye paakavaudza zvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo. Ipapo Abhimereki akadana Abhurahama kuti apinde uye akati, “Waiteiko kwatiri? Ndakakutadzira zvakaita seiko zvawauyisa mhosva huru yakadai pamusoro pangu napamusoro poumambo hwangu? Wandiitira zvinhu zvisingafaniri kuitwa.” Uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Wakaoneiko chakaita kuti uite izvi?” Abhurahama akapindura akati, “Ndakati mumwoyo mangu, ‘Zvirokwazvo munzvimbo ino hamuna kutya Mwari, uye vachandiuraya nokuda kwomukadzi wangu.’ Zvisinei hazvo, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mwanasikana wababa vangu kunyange hazvo asina kuberekwa namai vangu; uye akazova hake mukadzi wangu. Uye Mwari paakandiita kuti ndifambe kubva paimba yababa vangu, ndakati kwaari, ‘Izvi ndizvo zvaungandiratidza nazvo madiro aunondiita: Kwose kwatinoenda, utaure pamusoro pangu uchiti, “Ihanzvadzi yangu.” ’ ” Ipapo Abhimereki akauya namakwai nemombe uye navarandarume navarandakadzi akavapa kuna Abhurahama, uye akadzosa Sara mukadzi wake. Uye Abhimereki akati, “Nyika yangu iri pamberi pako; gara paunoda.” Kuna Sara akati, “Ndiri kupa hanzvadzi yako mashekeri chiurua esirivha. Ichi ndicho chichava chifukidzo pamusoro pemhosva yandakaita kwauri pamberi pavose vaunavo; waruramiswa kwazvo.” Ipapo Abhurahama akanyengetera kuna Mwari, uye Mwari akaporesa Abhimereki, mukadzi wake uye navarandakadzi vake kuti vakwanise kuita vana zvakare, nokuti Jehovha akanga azarira zvizvaro zvavo zvose muimba yaAbhimereki nokuda kwaSara mukadzi waAbhurahama. Zvino Jehovha akaitira Sara nyasha sezvaakanga areva, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa. Sara akava nemimba uye akaberekera Abhurahama mwanakomana munguva yokukwegura kwake, panguva chaiyo yakanga yavimbiswa naMwari. Abhurahama akatumidza mwanakomana waakaberekerwa naSara zita rokuti Isaka. Mwanakomana wake Isaka paakanga ava namazuva masere okuberekwa, Abhurahama akamudzingisa, sezvaakanga arayirwa naMwari. Abhurahama akanga ava namakore okuberekwa zana paakaberekerwa mwanakomana wake Isaka. Sara akati, “Mwari andivigira kuseka, uye vose vachanzwa nezvazvo vachaseka neni.” Uye akatizve, “Ndianiko aizoti kuna Abhurahama, Sara achazorera vana? Asi ndamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake.” Mwana akakura uye akarumurwa, uye pazuva rakarumurwa Isaka, Abhurahama akaita mutambo mukuru. Asi Sara akaona mwanakomana akanga aberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita achiseka, ndokubva ati kuna Abhurahama, “Dzinga mukadzi murandakadzi uyo nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi uyo haangatongogovani nhaka nomwanakomana wangu Isaka.” Nyaya iyi yakatambudza Abhurahama zvikuru kwazvo nokuti yaiva nechokuita nomwanakomana wake. Asi Mwari akati kwaari, “Usanyanya kutambudzika hako pamusoro pomukomana uye napamusoro pomurandakadzi wako. Teerera zvaunoudzwa naSara, nokuti muna Isaka ndimo muchaverengerwa vana vako. Ndichaitawo rudzi kubudikidza nomwanakomana womurandakadzi, nokuti naiyewo mwana wako.” Mangwanani akatevera, Abhurahama akatora zvokudya neguchu redehwe rine mvura akazvipa kuna Hagari. Akazviisa pamapfudzi ake ipapo akamuendesa pamwe chete nomukomana. Akaenda uye akadzungaira ari mugwenga reBheerishebha. Mvura yaiva muguchu redehwe yakati yapera, akaisa mukomana pasi pegwenzi. Ipapo akabvapo akandogara pedyo naipapo, nhambwe inenge ingasvika museve, nokuti akafunga mumwoyo make akati, “Handingatariri mukomana achifa.” Uye agere pedyo ipapo akatanga kuchema. Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo. Simudza mukomana umubate noruoko, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.” Ipapo Mwari akasvinudza meso ake uye akaona tsime remvura. Saka akaenda akandozadza guchu nemvura ndokubva apa mukomana kuti anwe. Mwari akava nomukomana pakukura kwake. Akagara mugwenga akazova munhu aipfura nouta. Paakanga achigara mugwenga reParani, mai vake vakamutsvakira mukadzi aibva kuIjipiti. Panguva iyoyo Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake, akati kuna Abhurahama, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita. Zvino ndipikire pano pamberi paMwari kuti hauzondinyengeri ini, kana vana vangu kana zvizvarwa zvangu. Ndiitirei tsitsi ini nenyika yaugere mairi somutorwa, kuti sezvandakakuitira tsitsi uchaita zvimwe chetezvo newewo.” Abhurahama akati, “Ndinopika.” Ipapo Abhurahama akagunun'una kuna Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa navaranda vaAbhimereki. Asi Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo. Iwe hauna kundiudza, uye ndatozvinzwa izvozvo nhasi chaiye.” Saka Abhurahama akauya namakwai nemombe akazvipa kuna Abhimereki, uye varume vaviri ava vakaita sungano. Abhurahama akatsaura sheche nomwe dzamakwayana kubva kuboka, uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Sheche dzamakwai idzi dzawatsaura dzinoreveiko?” Akapindura achiti, “Gamuchira makwayana manomwe aya kubva muruoko rwangu sechapupu chokuti ndini ndakachera tsime iri.” Saka nzvimbo iyo yakanzi Bheerishebha, nokuti varume vaviri ava vakapika mhiko ipapo. Mushure mokuitwa kwesungano paBheerisheba, Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake vakadzokera kunyika yavaFiristia. Abhurahama akadyara muti womutamarisiki muBheerishebha, uye ipapo akadana kuzita raJehovha, Mwari Wokusingaperi. Uye Abhurahama akagara munyika yavaFiristia kwenguva refu. Shure kwaizvozvo, Mwari akaedza Abhurahama. Akati kwaari, “Abhurahama!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” Ipapo Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, Isaka, iye waunoda, uye uende kunyika yeMoria. Umubayire ikoko sechipiriso chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.” Mangwanani akatevera, Abhurahama akamuka akasunga mbongoro yake. Akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaka. Akati atema huni dzechipiriso chinopiswa dzakakwana, akasimuka akaenda kunzvimbo yaakanga audzwa nezvayo naMwari. Pazuva rechitatu, Abhurahama akasimudza meso ake akaona nzvimbo yacho ichiri kure. Akati kuvaranda vake, “Sarai henyu pano nembongoro iyi ini nomukomana timboyambukira uko. Tichandonamata uye ipapo tichadzoka hedu kwamuri.” Abhurahama akatora huni dzechipiriso chinopiswa akadziisa pana Isaka mwanakomana wake, uye iye pachake akatakura moto nebanga. Pavakanga vachifamba pamwe chete vari vaviri, Isaka akataura nababa vake Abhurahama akati, “Baba!” Abhurahama akati, “Chiiko mwanangu?” Isaka akati, “Moto nehuni zviri pano, asi gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?” Abhurahama akapindura akati, “Mwari pachake ndiye achapa gwayana rechipiriso chinopiswa, mwanakomana wangu.” Vakati vasvika panzvimbo yaakanga ataurirwa nezvayo naMwari, Abhurahama akavaka aritari ipapo uye akaisa huni pamusoro payo. Akasunga mwanakomana wake Isaka akamuradzika paaritari, pamusoro pehuni. Ipapo akatambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake. Asi mutumwa waJehovha akadanidzira kwaari kubva kudenga akati, “Abhurahama! Abhurahama!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.” Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondohwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo uye akatora gondohwe akaribayira sechipiriso chinopiswa. Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.” Mutumwa waJehovha akadana kuna Abhurahama kubva kudenga kechipiri akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo, uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti wakanditeerera.” Ipapo Abhurahama akadzokera kuvaranda vake, uye vakasimuka vose pamwe chete vakaenda Bheerishebha. Shure kwaizvozvo, Abhurahama akanzwa kuti, “Mirika ava maiwo; akaberekera munun'una wako Nahori vanakomana vanoti: Uzi dangwe, Bhuzi munun'una wake, Kemueri (baba vaAramu), Kesedhi, Hazo, Piridhashi, Jidhirafi naBhetueri.” Bhetueri akabereka Rabheka. Mirika akaberekera Nahori munun'una waAbhurahama vanakomana vasere ava. Murongo wake ainzi Reuma, naiyewo akava navanakomana vaiti: Tebha, Gahamu, Tahashi naMaaka. Sara akararama akasvika makore zana namakumi maviri namanomwe okuberekwa. Akafira paKiriati Abha (ndiro Hebhuroni) munyika yeKenani, uye Abhurahama akandochema Sara uye akaungudza pamusoro pake. Ipapo Abhurahama akasimuka kubva parutivi pomukadzi wake akanga afa akandotaura navaHiti, akati, “Ndiri mutorwa nomueni pakati penyu. Nditengesereiwo nzvimbo pano yokuviga kuti ndigogona kuviga vakafa vangu.” VaHiti vakapindura Abhurahama vakati, “Ishe, tinzwei. Imi muri muchinda mukuru pakati pedu. Vigai henyu akafa wenyu muguva rakaisvonaka pakati pamakuva edu. Hakuna munhu pakati pedu angakunyimai guva rake kuti muvige akafa wenyu.” Ipapo Abhurahama akasimuka uye akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika, ivo vaHiti. Akati kwavari, “Kana muchida kuti ndivige akafa wangu, zvino chindinzwai uye mundikumbirire kuna Efuroni mwanakomana waZohari pachinzvimbo changu, kuti anditengesere bako raMakapera, raanaro uye riri kumucheto womunda wake. Mukumbirei kuti anditengesere nomutengo uzere ive nzvimbo yangu yokuviga vakafa pakati penyu.” Efuroni muHiti akanga agere pakati pavanhu vake uye akapindura Abhurahama, vaHiti vose vakanga vauya pasuo reguta vachizvinzwa, akati, “Kwete, ishe wangu. Inzwai; ndinokupai munda, uye ndinokupai bako riri mauri. Ndinoupa kwamuri pamberi pavanhu vangu. Vigai henyu akafa wenyu.” Zvakare Abhurahama akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika uye akati kuna Efuroni vachizvinzwa, “Nditeerere, kana uchida. Ndicharipa mutengo womunda. Ugamuchire hako kubva kwandiri kuti ndigoviga vakafa vangu imomo.” Efuroni akapindura Abhurahama akati, “Nditeererei, ishe wangu, mutengo wenyika unoita mashekeri mazana manaa esirivha, asi chingava chiiko pakati pangu nemi? Vigai henyu akafa venyu.” Abhurahama akabvumirana nomutengo waEfuroni uye akamuyerera mutengo waakanga areva vaHiti vachizvinzwa; mazana mana amashekeri esirivha, maererano nomutengo waivapo pakati pavatengesi. Saka munda waEfuroni muMakapera pedyo neMamure, zvose munda nebako zvaive mauri, nemiti yose yaiva pakati pomuganhu womunda, zvakapiwa kuna Abhurahama zvikava zvake pamberi pavaHiti vakanga vauya pasuo reguta. Shure kwaizvozvo Abhurahama akaviga mukadzi wake Sara mubako mumunda weMakapera pedyo neMamure (iro Hebhuroni) munyika yeKenani. Saka munda nebako zvaiva mauri zvakapiwa kuna Abhurahama navaHiti senzvimbo yamakuva. Zvino Abhurahama akanga akwegura uye ava namakore mazhinji, uye Jehovha akanga amuropafadza pazvinhu zvose. Akati kumuranda wake mukuru womumba make, iye akanga ari mutariri wezvose zvaakanga anazvo, “Isa ruoko rwako pasi pechidya changu. Ndinoda kuti upike naJehovha, Mwari wokudenga uye Mwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kubva kuvanasikana vavaKenani, avo vandigere pakati pavo, asi uchaenda kunyika yangu nokuhama dzangu ugondotorera mwanakomana wangu Isaka mukadzi.” Muranda akabvunza akati, “Ko, kana mukadzi asingadi kuuya neni kunyika ino? Ndichazoenda here nomwanakomana wenyu kunyika yamakabva?” Abhurahama akati, “Chenjera kuti urege kudzokera nomwanakomana wangu ikoko. Jehovha, Mwari wokudenga, akandibudisa muimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu uye iye akataura kwandiri uye akandivimbisa nemhiko achiti, ‘Ndichapa nyika iyi kuvana vako,’ achatuma mutumwa pamberi pako kuitira kuti ugogona kuwanira mwanakomana wangu mukadzi kubva ikoko. Kana mukadzi asingadi kuuya newe, iwe uchasunungurwa pamhiko yangu iyi. Usadzokera chete nomwanakomana wangu ikoko.” Saka muranda akaisa ruoko rwake pasi pechidya chatenzi wake Abhurahama uye akapika mhiko kwaari maererano neshoko iri. Ipapo muranda akatora ngamera dzatenzi wake gumi akaenda, akatora mhando dzezvinhu zvose zvakanaka kubva kuna tenzi wake. Akasimuka akaenda kuAramu Naharaimu uye akananga kuguta reNahori. Akaita kuti ngamera dzipfugame pasi pedyo netsime raiva kunze kweguta; kwakanga kwava kudoka, nguva yaibuda vakadzi kundochera mvura. Akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, itai kuti ndibudirire nhasi, muitire tenzi wangu Abhurahama zvakanaka. Onai, ndimire parutivi petsime rino, uye vanasikana vavanhu vomuguta rino vari kubuda vachiuya kuzochera mvura. Ngazviitike kuti pandinoti kumusikana, ‘Ndapota, tura chirongo chako kuti ndinwewo mvura,’ uye iye akati, ‘Inwai henyu uye ndichanwisawo ngamera dzenyu’ ngaave iye wamasarudzira muranda wenyu Isaka. Naizvozvo ndichaziva kuti maitira tenzi wangu zvakanaka.” Asati apedza kunyengetera, Rabheka akasvika nechirongo chake papfudzi rake. Akanga ari mwanasikana waBhetueri mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori munun'una waAbhurahama. Musikana akanga akanaka kwazvo, ari mhandara; hakuna murume akanga ambovata naye. Akaenda kutsime, akazadza chirongo chake akadzokazve. Muranda akamhanya akandosangana naye akati, “Ndapota, ndipewo mvura shoma shoma yokunwa kubva muchirongo chako.” Iye akati, “Inwai henyu, ishe wangu,” akakurumidza kutura chirongo mumaoko ake uye akamupa kuti anwe. Shure kwokumupa mvura kuti anwe, akati, “Ndichachererawo ngamera dzenyu mvura, kusvikira dzapedza kunwa.” Saka akakurumidza kudururira mvura yaiva muchirongo chake muchinwiro, akamhanyira kutsime zvakare kundochera imwe mvura zhinji, akachera yakakwanira ngamera dzake. Asina chaakataura, murume uyu akamutarisisa kuti azive kuti Jehovha akanga aita kuti rwendo rwake rubudirire here kana kuti kwete. Ngamera dzakati dzapedza kunwa, murume uya akatora mhete yegoridhe yapamhino yairema hafu yeshekeria nezvishongo zviviri zvamaoko zvairema mashekeri gumib. Ipapo akamubvunza akati, “Uri mwanasikana waaniko? Ndapota, dondiudzawo, kumba kwababa vako kungaita nzvimbo yedu yokuvata here?” Akamupindura akati, “Ndiri mwanasikana waBhetueri, mwanakomana waMirika akaberekera Nahori.” Uye akatizve, “Tine uswa hwakawanda namashanga, uyewo nenzvimbo yenyu yokuvata.” Ipapo murume uya akakotamira pasi akanamata Jehovha, akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari watenzi wangu Abhurahama, iye asina kurega kuita zvakanaka nokutendeka kwake kuna tenzi wangu. Kana ndirini, Jehovha akanditungamirira parwendo rwangu akandisvitsa kumba kwehama dzatenzi wangu.” Musikana akamhanya akandoudza veimba yamai vake pamusoro pezvinhu zvose izvi. Zvino Rabheka akanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani, uye iye akakurumidza kubuda akaenda kumurume uya kutsime. Akati achingoona mhete yemhino nezvishongo mumaoko ehanzvadzi yake, uye anzwa Rabheka achitaura zvakanga zvarehwa nomurume uyu kwaari, akabuda akaenda kumurume akamuwana amire pangamera pedyo netsime. Akati, “Uya iwe wakaropafadzwa naJehovha. Wakamirireiko pano? Ndatogadzira imba nenzvimbo yengamera.” Saka murume uya akaenda kumba, uye ngamera dzakaturwa. Uswa namashanga zvakavigirwa ngamera, uye iye navanhu vake vakavigirwa mvura kuti vashambe tsoka dzavo. Zvokudya zvakaiswa pamberi pake, asi iye akati, “Handingatongodyi kusvikira ndakuudzai zvandinoda kureva.” Rabhani akati, “Tiudze hako zvino.” Saka iye akati, “Ndiri muranda waAbhurahama. Jehovha akaropafadza tenzi wangu kwazvo, uye ava mupfumi. Akamupa makwai nemombe, sirivha negoridhe, varandarume navarandakadzi, ngamera nembongoro. Sara mukadzi watenzi wangu akamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake, uye akamupa zvinhu zvose zvaanazvo. Uye tenzi wangu akaita kuti ndipike mhiko, uye akati, ‘Haufaniri kutorera mwanakomana wangu mukadzi kubva kuvanasikana vavaKenani, munyika yandigere, asi enda kumhuri yababa vangu uye nokuimba yangu, undotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.’ “Ipapo ndakabvunza tenzi wangu ndikati, ‘Ko, kana mukadzi akasauya neni?’ “Iye akapindura akati, ‘Jehovha, iye wandinofamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe uye achaita kuti rwendo rwenyu rubudirire, kuti uwanire mwanakomana wangu mukadzi, paunoenda kuimba yokwangu, kumhuri yababa vangu. Zvino, kana wasvika kuimba yokwangu, iwe uchasunungurwa pamhiko kunyange vakaramba kumupa kwauri, uchasunungurwa pamhiko yangu.’ “Pandasvika patsime nhasi, ndati, ‘Haiwa Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, kana muchida, ndapota ndipeiwo kubudirira parwendo rwandafamba. Tarirai, ndimire parutivi petsime iri; kana musikana akabuda kuzochera mvura uye ndikati kwaari, “Ndapota rega ndinwe mvura shoma shoma kubva muchirongo chako,” uye kana iye akati kwandiri, “Inwai henyu, uye ndichachererawo ngamera dzenyu,” ngaave iye asarudzirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.’ “Ndisati ndapedza kunyengetera mumwoyo mangu, Rabheka auya, ane chirongo chake papfudzi rake. Aenda kutsime uye akachera mvura, uye ini ndikati kwaari, ‘Ndapota ndipewo mvura ndinwe.’ “Akurumidza kutura chirongo chake papfudzi rake uye akati, ‘Inwai henyu, uye ndichanwisa ngamera dzenyuwo. Saka ndanwa mvura, uye anwisawo ngamera. “Ndamubvunza ndikati, ‘Uri mwanasikana waaniko?’ “Iye ati, ‘Ndiri mwanasikana waBhetueri mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika.’ “Ipapo ndaisa mhete pamhino yake nezvishongo mumaoko ake, uye ndakotama pasi ndikanamata Jehovha. Ndarumbidza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, uyo akanditungamirira munzira yakarurama kuti ndiwane muzukuru womunun'una watenzi wangu kuti ave mukadzi womwanakomana wake. Zvino kana muchaitira zvakanaka nokutendeka kuna tenzi wangu, ndiudzei; uye kana zvisizvo, ndiudzei, kuti ndigoziva kwokuenda.” Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, “Izvi zvinobva kuna Jehovha; isu hatina chinhu chatingataura kwauri, chakaipa kana chakanaka. Hoyu Rabheka; mutore uende, uye ngaave mukadzi womwanakomana watenzi wako, sokutungamirirwa kwawaitwa naJehovha.” Muranda waAbhurahama akati anzwa zvavakataura, akakotama pasi pamberi paJehovha. Ipapo muranda akabudisa goridhe nezvishongo zvesirivha nenguo dzokufuka uye akazvipa kuna Rabheka; uye akapawo zvipo zvomutengo mukuru kuhanzvadzi yake nokuna mai vake. Ipapo iye navarume vakanga vanaye vakadya uye vakanwa, uye vakanwa usiku uho. Akati amuka mangwanani, akati, “Ndiregei hangu ndichienda kuna tenzi wangu.” Asi hanzvadzi yake namai vake vakapindura vakati, “Regai musikana agare nesu mazuva angaita kana gumi; ipapo mungazoenda henyu.” Asi akati kwavari, “Musandirambidza, sezvo zvino Jehovha akandipa kubudirira parwendo rwangu. Ndiregei hangu ndiende kuna tenzi wangu.” Ipapo vakati kwandiri, “Regai tidane musikana timubvunze nezvazvo.” Saka vakadana Rabheka vakamubvunza vakati, “Uchaenda here nomurume uyu?” Iye akati, “Ndichaenda.” Saka vakaendesa hanzvadzi yavo Rabheka, pamwe chete nomureri wake nomuranda waAbhurahama navanhu vake. Uye vakaropafadza Rabheka vakati, “Iwe hanzvadzi yedu, uve mai wavazhinji vave zviuru nezviuru; vana vako ngavatore masuo avavengi vavo.” Ipapo Rabheka navasikana vake vakagadzirira uye vakatasva ngamera dzavo vakaenda nomurume uya. Saka muranda akatora Rabheka akabva aenda. Zvino Isaka akanga achibva kuBheeri Rahai Roi, nokuti akanga achigara kuNegevhi. Akabuda nohumwe usiku akaenda musango kuti ambondorangarira, uye paakasimudza meso ake, akaona ngamera dzichiswedera, naRabhekawo akasimudza meso ake akaona Isaka. Akaburuka kubva pangamera yake uye akabvunza muranda akati, “Ndianiko murume ari musango uyo ari kuuya kuzosangana nesu?” Muranda akapindura akati, “Nditenzi wangu.” Saka akatora chifukidzo akazvifukidza. Ipapo muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita. Isaka akamupinza mutende ramai vake Sara, uye akawana Rabheka. Saka akava mukadzi wake, uye akamuda; naizvozvo Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake. Abhurahama akawana mumwe mukadzi, zita rake ainzi Ketura. Iye akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi. Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura. Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka. Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva. Pamwe chete, Abhurahama akararama makore zana namakumi manomwe namashanu. Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake uye akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake. Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti, munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara. Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi. Iyi ndiyo nhoorondo yomwanakomana waAbhurahama, iye Ishumaeri, akaberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita, murandakadzi waSara. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIshumaeri, akanyorwa muurongwa hwamaberekerwo avo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami, Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi naKedhema. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri, uye aya ndiwo mazita avatongi gumi navaviri vamarudzi maererano namagariro avo nemisasa yavo. Pamwe chete, Ishumaeri akararama makore zana namakumi matatu namakore manomwe. Akabudisa mweya wake akafa, uye akasanganiswa navanhu vake. Zvizvarwa zvake zvakandogara munzvimbo yaibva kuHavhira kusvikira kuShuri, pedyo nomuganhu weIjipiti, kana munhu achienda akananga kuAshuri. Uye vakagara vachipesana nehama dzavo. Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, Isaka. Abhurahama akabereka Isaka, uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu. Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba. Vana vakanga vachisundana mukati make, uye iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha. Jehovha akati kwaari, “Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana; rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe, uye mukuru achashumira muduku.” Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake. Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau. Shure kwaizvozvo, munun'una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka. Vakomana vakakura, uye Esau akava mudzimba akachenjera, murume wesango, asi Jakobho akanga ari murume akanyarara, achigara pakati pamatende. Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho. Rimwe zuva Jakobho paakanga achibika zvokudya, Esau akasvikopinda achibva kusango, aziya nenzara! Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu). Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.” Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?” Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho. Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda. Saka Esau akazvidza udangwe hwake. Zvino munyika makanga mune nzara, isati iri nzara iya yakatanga kuvapo panguva yaAbhurahama, uye Isaka akaenda kuna Abhimereki mambo wavaFiristia muGerari. Jehovha akazviratidza kuna Isaka akati, “Usaburuka kuIjipiti; gara munyika yandinokuudza kuti ugare. Gara hako munyika ino kwechinguva, uye ndichava newe uye ndichakuropafadza. Nokuti kwauri nokuzvizvarwa zvako ndichapa nyika iyi yose uye ndichasimbisa mhiko yandakapika kuna baba vako Abhurahama. Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye ndichavapa nyika yose iyi, uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti Abhurahama akanditeerera uye akachengeta zvaidikanwa neni, nemitemo yangu, zvirevo zvangu uye nemirayiro yangu.” Saka Isaka akagara muGerari. Vanhu venyika iyo pavakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, “Ihanzvadzi yangu,” nokuti akanga achitya kuti, “Mukadzi wangu.” Akafunga mumwoyo make achiti, “Vanhu vomunyika muno vangandiuraye nokuda kwaRabheka, nokuti akanaka kwazvo.” Isaka akati agara ikoko kwenguva refu, Abhimereki mambo wavaFiristia akatarira pasi napawindo akaona Isaka achitamba nomukadzi wake Rabheka. Saka Abhimereki akadana Isaka akati, “Mukadzi wako chaiye uyu! Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu’?” Isaka akapindura akati, “Nokuti ndakafunga kuti ndingafa nokuda kwake.” Ipapo Abhimereki akati, “Chiiko ichi chawakaita kwatiri? Mumwe wavarume aigona kunge akavata nomukadzi wako, uye ungadai wakazouyisa mhosva pamusoro pedu.” Saka Abhimereki akarayira vanhu vake vose achiti, “Ani naani anobata murume uyu kana mukadzi wake achaurayiwa zvirokwazvo.” Isaka akadyara zviyo munyika uye mugore racho iroro akakohwa zvakapetwa kazana, nokuti Jehovha akamuropafadza. Murume uyu akava mupfumi, uye pfuma yake yakaramba ichiwanda kusvikira apfuma kwazvo. Akanga ana makwai mazhinji nemombe dzakawanda navaranda vakawanda zvokuti vaFiristia vakamuitira godo. Saka matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake panguva yababa vake Abhurahama, vaFiristia vakaadzivira, vachiazadza nevhu. Ipapo Abhimereki akati kuna Isaka, “Ibva uende kure nesu; wanyanya kuva nesimba zvokutipfuura.” Saka Isaka akabvapo akandodzika musasa muMupata weGera uye akagara ikoko. Isaka akacherazve matsime akanga acherwa panguva yababa vake Abhurahama, iwo akanga adzivirwa navaFiristia shure kwokufa kwaAbhurahama, uye akaapa mazita mamwe chetewo aakanga atumidzwa nababa vake. Varanda vaIsaka vakachera muMupata vakawanamo tsime remvura yakanaka. Asi vafudzi veGerari vakakakavadzana navafudzi vaIsaka vachiti, “Mvura iyi ndeyedu!” Saka akatumidza tsime iro zita rokuti Eseki, nokuda kwokuti vakapesana naye. Ipapo vakacherazve rimwe tsime, asi vakakakavadzana pamusoro parowo; saka akaritumidza zita rokuti Sitima. Akaenderera mberi kubva ipapo akachera rimwe tsime, uye hapana munhu akazokakavadzana naye pamusoro paro. Akaritumidza zita rokuti Rehobhoti, achiti, “Zvino Jehovha azotipa nzvimbo uye tichawanda munyika.” Kubva ipapo akaenda kuBheerishebha. Usiku ihwohwo Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari wababa vako Abhurahama. Usatya, nokuti ndinewe. Ndichakuropafadza uye ndichakurisa zvizvarwa zvako nokuda kwomuranda wangu Abhurahama.” Isaka akavaka aritari ipapo uye akadana kuzita raJehovha. Akadzika tende rake ipapo uye pakare ipapo varanda vake vakachera tsime. Zvichakadaro, Abhimereki akanga asvika kwaari achibva kuGerari, ana Ahuzati aiva mupamazano wake naPikori mukuru wavarwi vake. Isaka akavabvunza akati, “Mavingeiko kwandiri, sezvo makanga muri mhandu dzangu uye mukandidzinga?” Vakamupindura vakati, “Takaona pachena kuti Jehovha akanga anewe; saka takati, ‘Panofanira kuva nechitenderano chemhiko pakati pedu,’ pakati pedu newe. Ngatiite sungano newe yokuti iwe hauzotiitiri zvakaipa, sezvo isu tisina kukubata zvakaipa asi takaramba tichikuitira zvakanaka uye tikakuendesa norugare. Uye zvino waropafadzwa naJehovha.” Ipapo Isaka akavaitira mutambo, uye vakadya uye vakanwa. Mangwanani akatevera varume ava vakapikirana. Ipapo Isaka akavaendesa parwendo rwavo, uye vakamusiya murugare. Musi iwoyo varanda vaIsaka vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera. Vakati, “Tawana mvura!” Akaritumidza zita rokuti Shibha, uye kusvikira nhasi zita reguta richiri kunzi Bheerishebha. Esau akati ava namakore makumi mana okuberekwa, akawana Judhisi mwanasikana waBheeri muHiti, uyewo Bhasemati mwanasikana waEroni muHiti. Ivava vakarwadzisa Isaka naRabheka. Isaka akati akwegura uye meso ake akanga aneta zvokuti akanga asisaoni, akadana Esau mwanakomana wake mukuru akati kwaari, “Mwanakomana wangu.” Iye akapindura akati, “Ndiri pano.” Isaka akati, “Zvino ndava murume mutana uye handizivi zuva rokufa kwangu. Naizvozvo zvino tora zvombo zvako, goba rako nouta ugoenda kusango kuti unondivhimirawo mhuka. Undigadzirire zvokudya zvinondinakira ugondivigira kuti ndidye, kuitira kuti ndikupe maropafadzo angu ndisati ndafa.” Zvino Rabheka akanga akateerera Isaka paakanga achitaura nomwanakomana wake Esau. Esau akati aenda kusango kuti andovhima mhuka kuti agouya nayo, Rabheka akati kumwanakomana wake Jakobho, “Tarira, ndanzwa baba vako vachiti kumukoma wako Esau, ‘Ndivigirewo mhuka ugondigadzirira nyama inonaka kuti ndidye kuitira kuti ndigokupa maropafadzo angu ndisati ndafa.’ Zvino, chinzwa mwanakomana wangu, nyatsoteerera uye uite zvandinokuudza. Enda kuzvipfuwo unondivigira mbudzana mbiri dzakaisvonaka, kuti ndigogadzirira baba vako nyama inonaka nenzira chaiyo yavanoda. Ipapo ugoitora uende nayo kuna baba vako kuti vadye, kuitira kuti vagokupa maropafadzo avo vasati vafa.” Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, “Asi mukoma wangu Esau munhu ane mvere, uye ini ndiri munhu ane ganda risina mvere. Ko, kana baba vangu vakandibata? Ndichava somunhu anovanyengera uye ndikazouyisa kutukwa pamusoro pangu pachinzvimbo chokuropafadzwa.” Mai vake vakati kwaari, “Mwanakomana wangu, rega kutukwa kuuye pamusoro pangu. Iwe ita zvandinoreva; enda unonditorera idzo.” Saka akaenda akandodzitora akauya nadzo kuna mai vake, uye vakagadzira nyama inonaka, nenzira chaiyo yaidikanwa nababa vake. Ipapo Rabheka akatora nguo dzakaisvonaka dzaEsau mwanakomana wake mukuru, dzaakanga anadzo mumba, akadzipfekedza mwanakomana wake muduku iye Jakobho. Akafukidzawo namatehwe embudzi, maoko ake uye nenzvimbo dzomutsipa wake dzakanga dzisina mvere. Ipapo akapa kumwanakomana wake Jakobho nyama inonaka uye nechingwa chaakanga abika. Akaenda kuna baba vake akati, “Baba vangu.” Vakapindura vakati “Ndiri pano mwana wangu. Ndianiko?” Jakobho akati kuna baba vake, “Ndini Esau dangwe renyu. Ndaita sezvamandiudza. Ndapota, mukai mudye nyama yemhuka yangu kuitira kuti mundipe maropafadzo enyu.” Isaka akabvunza mwanakomana wake akati, “Waiwana seiko nokukurumidza zvakadai, mwanakomana wangu?” Iye akapindura akati, “Jehovha Mwari wenyu aita kuti ndibudirire.” Ipapo Isaka akati kuna Jakobho, “Swedera pedyo kuti ndikubate, mwana wangu, kuti ndizive kana uri Esau mwanakomana wangu chaiye kana kwete.” Jakobho akaswedera kuna baba vake Isaka, iye akamubata akati, “Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau.” Haana kugona kumuziva, nokuti maoko ake aiva nemvere dzakaita sedzomukoma wake Esau; saka akamuropafadza. Akati ndiwe mwanakomana wangu “Esau chaiye here?” Akapindura akati, “Ndini.” Ipapo akati, “Mwanakomana wangu, ndipe nyama yako yemhuka ndidye, kuitira kuti ndikupe maropafadzo angu.” Jakobho akaiisa kwaari uye akadya; uye akauya newaini iye akanwa. Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, “Uya pano mwanakomana wangu unditsvode.” Saka akaenda kwaari uye iye akamutsvoda. Isaka akati anzwa kunhuwira kwenguwo dzake akamuropafadza achiti, “Haiwa kunhuwira kwomwanakomana wangu kwakaita sokunhuwira kwesango raropafadzwa naJehovha. Mwari ngaakupe dova rokudenga noupfumi hwenyika, zviyo zvakawanda newaini itsva. Ndudzi ngadzikushumire uye marudzi akupfugamire. Uve ishe wehama dzako, uye vanakomana vamai vako vakupfugamire. Vaya vanokutuka ngavatukwe uye vaya vanokuropfadza ngavaropafadzwe.” Shure kwokunge Isaka apedza kumuropafadza uye Jakobho achangobva pamberi pababa vake, mukoma wake Esau akasvika achibva kundovhima. Naiyewo akagadzira nyama inonaka akauya nayo kuna baba vake. Ipapo akati kwavari, “Baba vangu, mukai mudye nyama yangu yemhuka, kuti mugondipa maropafadzo.” Baba vake Isaka vakamubvunza vakati, “Ndiwe aniko?” Akapindura akati, “Ndini Esau mwanakomana wenyu wedangwe.” Isaka akadedera nehasha akati, “Ndianiko zvino, avhima mhuka akauya nayo kwandiri? Ndaidya iwe uchigere kusvika uye ndamuropafadza, uye zvirokwazvo acharopafadzwa!” Esau akati anzwa mashoko ababa vake akaridza mhere nokuchema kukuru neshungu uye akati kuna baba vake, “Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!” Asi ivo vakati, “Munun'una wako auya nokunyengera uye atora maropafadzo ako.” Esau akati, “Haana kutumidzwa zita chairo here rokuti Jakobho? Akandinyengera kaviri kose: Akatora udangwe hwangu, uye zvino atora maropafadzo angu!” Ipapo akabvunza akati, “Ko, hamuna kundichengeterawo kana ropafadzo here?” Isaka akapindura Esau akati, “Ndamuita ishe wako uye ndakaita hama dzake dzose varanda vake, uye ndamusimbisa nezviyo newaini itsva. Saka chiiko chandichagona kukuitira mwana wangu?” Esau akati kuna baba vake, “Munongova neropafadzo imwe chete here, baba vangu? Ndiropafadzeiwo, baba vangu!” Ipapo Esau akachema achiridza mhere. Baba vake Isaka vakamupindura vakati, “Ugaro hwako huchava kure nepfuma yenyika, kure nedova rokudenga kumusoro. Iwe uchararama nomunondo uye uchashumira munun'una wako. Asi paunenge woshaya zororo uchabvisa joko rake kubva pamutsipa wako.” Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakapiwa nababa vake. Akati mumwoyo make, “Mazuva okuchema baba vangu ava pedyo; ipapo ndichauraya munun'una wangu Jakobho.” Rabheka akati audzwa zvakanga zvataurwa nomwanakomana wake mukuru Esau, akatuma munhu kuna Jakobho mwanakomana wake muduku akati kwaari, “Mukoma wako Esau ari kuzvinyaradza nepfungwa dzokuda kukuuraya. Naizvozvo zvino, mwanakomana wangu, chiita zvandinokuudza: Tiza izvozvi uende kuhanzvadzi yangu Rabhani kuHarani. Ugare naye kwechinguva kusvikira shungu dzomukoma wako dzaserera. Mukoma wako paanenge asina kukutsamwira uye akanganwa zvawakamuitira, ini ndichatuma shoko kwauri rokuti uchidzoka kubva ikoko. Ndorasikirwa nemi seiko muri vaviri zuva rimwe chete?” Ipapo Rabheka akati kuna Isaka, “Ndinosemburwa noupenyu nokuda kwavakadzi vechiHiti ava. Kana Jakobho akatora mukadzi anobva pakati pavakadzi vechiHiti vakaita savava, kurarama kwangu hakungavi namaturo.” Saka Isaka akadana Jakobho uye akamuropafadza akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani. Kurumidza uende kuPadhani Aramu kuimba yaBhetueri baba vamai vako. Uzvitorere mukadzi ikoko, kubva pakati pavanasikana vaRabhani, hanzvadzi yamai vako. Mwari Wamasimba Ose ngaakuropafadze uye aite kuti ubereke uye akuitei vazhinji kusvikira mava marudzi mazhinji. Ngaakupe iwe nezvizvarwa zvako maropafadzo akapiwa kuna Abhurahama, kuitira kuti utore nyika yaugere zvino somutorwa, nyika yakapiwa Abhurahama naMwari.” Ipapo Isaka akaendesa Jakobho, uye iye akaenda kuPadhani Aramu, kuna Rabhani mwanakomana waBhetueri muAramu, hanzvadzi yaRabheka, akanga ari mai vaJakobho naEsau. Zvino Esau akaziva kuti Isaka akanga aropafadza Jakobho uye kuti akanga amuendesa kuPadhani Aramu kuti andotora mukadzi ikoko, uye kuti paakamuropafadza akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani,” uye kuti Jakobho akateerera baba namai vake uye kuti akanga aenda kuPadhani Aramu. Ipapo Esau akaziva kuti vakadzi veKenani vakanga vasingafadzi sei Isaka baba vake; saka akaenda kuna Ishumaeri akandowana Maharati, hanzvadzi yaNebhayoti mwanasikana waIshumaeri mwanakomana waAbhurahama, kuwedzera pavakadzi vaakanga atova navo kare. Jakobho akabva paBheerishebha akaenda kuHarani. Akati asvika pane imwe nzvimbo, akavata ipapo usiku nokuti zuva rakanga ravira. Akatora rimwe ramatombo ipapo, akaritsamira uye akavata. Akarota achiona manera amire panyika, uye musoro wawo uchisvika kudenga, uye vatumwa vaMwari vaikwira nokudzika nawo. Pamusoro pawo ipapo pakanga pamire Jehovha, uye akati, “Ndini Jehovha, Mwari wababa vako Abhurahama naMwari waIsaka. Ndichakupa iwe nezvizvarwa zvako nyika yauvete pairi. Zvizvarwa zvako zvichaita seguruva renyika, uye muchapararira kubva kumavirira kusvikira kumabvazuva, kumusoro nezasi. Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako. Ndinewe uye ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, uye ndichakudzosazve munyika ino. Handingakusiyi kusvikira ndaita zvandakavimbisa.” Jakobho akati apepuka pahope, akafunga akati, “Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, uye ndanga ndisingazvizivi.” Akanga achitya uye akati, “Nzvimbo ino inotyisa sei! Iyi imba chaiyo yaMwari; iri ndiro suo rokudenga.” Mangwanani akatevera Jakobho akatora dombo raakanga akatsamira akarimisa sembiru akadururira mafuta pamusoro paro. Akatumidza nzvimbo iyi zita rokuti Bheteri, kunyange zvazvo guta iro raimbonzi Ruzi. Ipapo Jakobho akaita mhiko, akati, “Kana Mwari akava neni uye akandichengeta parwendo urwu rwandiri kufamba uye akandipa zvokudya kuti ndidye nenguo dzokupfeka uye ndikadzoka zvakanaka kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha achava Mwari wangu uye dombo iri randamisa sembiru richava imba yaMwari, uye pane zvose zvamuchandipa ndichakupai chegumi.” Ipapo Jakobho akapfuurira mberi norwendo rwake uye akasvika kunyika yavanhu vokumabvazuva. Ikoko akaona tsime musango, namapoka matatu amakwai avete pedyo naro nokuti makwai ainwiswa patsime iroro. Ibwe rakanga riri pamuromo wetsime rakanga riri guru. Mapoka ose aiti aungana ipapo, vafudzi vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime vachinwisa makwai avo. Ipapo vaizodzorera ibwe panzvimbo yaro, ipo pamuromo wetsime. Jakobho akabvunza vafudzi akati, “Mabvepiko, hama dzangu?” Ivo vakapindura vakati, “Tabva kuHarani.” Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, muzukuru waNahori here?” Vakapindura vakati, “Hongu, tinomuziva.” Ipapo Jakobho akavabvunza akati, “Anofara here?” Ivo vakati, “Hongu, anofara uye hoyo mwanasikana wake Rakeri ari kuuya namakwai.” Iye akati, “Tarirai, achiri masikati haisati yava nguva yokuti makwai aunganidzwe. Nwisai makwai mugoadzosera kumafuro.” Vakapindura vakati, “Hatigoni kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye ibwe rakungurutswa kubva pamuromo wetsime. Ipapo ndipo patinozonwisa makwai.” Paakanga achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti akanga ari mufudzikadzi. Jakobho akati achiona Rakeri mwanasikana waRabhani, hanzvadzi yamai vake, uye namakwai aRabhani, akaendapo akandokungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime ndokubva anwisa makwai asekuru vake. Ipapo Jakobho akatsvoda Rakeri uye akachema zvikuru. Uye akaudza Rakeri kuti iye akanga ari hama yababa vake uye ari mwanakomana waRabheka. Saka Rakeri akamhanya akandoudza baba vake. Rabhani akati angoudzwa mashoko pamusoro paJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akakurumidza kundosangana naye. Akamumbundikira, akamutsvoda uye akamuuyisa kumba kwake, uye ipapo Jakobho akamuudza zvose izvi. Ipapo akati kwaari, “Iwe uri nyama yangu neropa rangu.” Rabhani akati kwaari, “Ungandishandira usingapuwi mubayiro nokuda kwokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako unofanira kuva chii?” Zvino Rabhani akanga ana vanasikana vaviri; zita romukuru rainzi Rea uye zita romuduku rainzi Rakeri. Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga ane chimiro chinoyevedza uye akanaka kwazvo. Jakobho aida Rakeri uye akati, “Ndichakushandirai kwamakore manomwe mugondipa Rakeri mwanasikana wenyu muduku.” Rabhani akati, “Zviri nani kuti ndimupe kwauri pano kumupa kuno mumwewo murume. Chigara hako pano neni.” Saka Jakobho akashanda kwamakore manomwe kuti awane Rakeri, asi akaita samazuva mashoma chete kwaari nokuda kworudo rwake kwaari. Ipapo Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu. Nguva yangu yakwana uye ndinoda kuvata naye.” Saka Rabhani akaunganidza pamwe chete vanhu vose venzvimbo iyo akaita mutambo. Asi akati ava madekwana, iye akatora mwanasikana wake Rea akamupa kuna Jakobho, uye Jakobho akavata naye. Uye Rabhani akapa Ziripa murandakadzi wake kumwanasikana wake kuti ave mushandi wake. Kwakati kwaedza mangwanani wanei ndiRea! Saka Jakobho akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chamaita kwandiri? Ndakashandira Rakeri, handizvo here? Seiko mandinyengera?” Rabhani akapindura akati, “Haisi tsika yedu kuno kuti mwanasikana muduku atange kuwanikwa mukuru achigere kuwanikwa. Pedzisa vhiki youmwenga yomwanasikana uyu; ipapo tichazokupawo muduku shure kwokushandira mamwe makore manomwe.” Uye Jakobho akaita saizvozvo. Akapedza vhiki naRea, uye ipapo Rabhani akamupa mwanasikana wake Rakeri kuti ave mukadzi wake. Rabhani akapa murandakadzi wake Bhiriha kuna Rakeri kuti ave mushandi wake. Jakobho akavatawo naRakeri uye aida Rakeri kupfuura Rea. Uye akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe. Jehovha akati aona kuti Rea akanga asingadikanwi, akazarura chizvaro chake, asi Rakeri akanga asingabereki. Rea akava nemimba uye akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Rubheni, nokuti akati, “Jehovha akaona kutambudzika kwangu. Zvirokwazvo murume wangu achandida zvino.” Akabatazve pamwe pamuviri, uye akati abereka mwanakomana, akati, “Nokuti Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, akandipa uyuzve.” Saka akamutumidza kuti Simeoni. Akabatazve pamwe pamuviri uye akati abereka mwanakomana, akati, “Zvino pakupedzisira murume wangu achabatanidzwa neni, nokuti, ndamuberekera vanakomana vatatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Revhi. Akabatazve pamwe pamuviri uye paakabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ipapo akaguma kubereka vana. Rakeri akati aona kuti akanga asingaberekeri Jakobho vana, akaitira mukoma wake godo. Saka akati kuna Jakobho, “Ndipe vana, kana zvikasadaro ndichafa!” Jakobho akamutsamwira akati, “Ko, ini ndiri panzvimbo yaMwari here akakuita kuti urege kuva nevana?” Ipapo akati, “Hoyu Bhiriha, murandakadzi wangu. Vata naye kuitira kuti andiberekere vana uye kuti kubudikidza naye neni ndigovawo nemhuri.” Saka akamupa murandakadzi wake Bhiriha kuti ave mukadzi wake. Jakobho akavata naye, uye akava nemimba akamuberekera mwanakomana. Ipapo Rakeri akati, “Mwari andiruramisira; iye akanzwa mukumbiro wangu uye akandipa mwanakomana.” Nokuda kwaizvozvo akamutumidza zita rokuti Dhani. Bhiriha murandakadzi waRakeri akavazve nemimba uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri. Ipapo Rakeri akati, “Ndakava nokurwa kukuru nomukoma wangu, uye ndikakunda.” Saka akatumutumidza zita rokuti Nafutari. Rea akati aona kuti aguma kubereka vana, akatora murandakadzi wake Ziripa akamupa kuna Jakobho somukadzi wake. Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana. Ipapo Rea akati, “Makorokoto! Zvaita zvakanaka.” Saka akamutumidza zita rokuti Gadhi. Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri. Ipapo Rea akati, “Mufaroi wandinawo! Vakadzi vachati mufaro kwandiri.” Saka akamutumidza zita rokuti Asheri. Panguva yokuchekwa kwegorosi, Rubheni akabuda akaenda musango akandowana mamandiraki, akauya nawo kuna mai vake Rea, Rakeri akati kuna Rea, “Ndapota dondipawo mamwe mamandiraki omwanakomana wako.” Asi iye akati kwaari, “Ko, hazvina kuringana here kuti wakanditorera murume wangu? Uchada kutorazve mamandiraki omwanakomana wangu here?” Rakeri akati, “Zvakanaka, ngaavate newe usiku huno nokuda kwamamandiraki omwanakomana wako.” Saka Jakobho akati achisvika kubva kusango manheru iwayo, Rea akabuda kundomuchingamidza. Iye akati kwaari, “Unofanira kuvata neni iwe. Ndakutenga nemamandiraki omwanakomana wangu.” Saka akavata naye usiku ihwohwo. Mwari akanzwa Rea, uye akava nemimba akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu. Ipapo Rea akati, “Mwari akandipa mubayiro nokuda kwokupa murandakadzi wangu kumurume wangu.” Saka akamutumidza zita rokuti Isakari. Rea akabatazve pamuviri uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechitanhatu. Ipapo Rea akati, “Mwari andipa chipo chinokosha. Nguva ino murume wangu achandikudza, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni. Shure kwaizvozvo akazobereka mwanasikana uye akamutumidza zita rokuti Dhaina. Ipapo Mwari akarangarira Rakeri; akamunzwa uye akazarura chizvaro chake. Akava nemimba akabereka mwanakomana uye akati, “Mwari abvisa kunyadziswa kwangu.” Akamutumidza zita rokuti Josefa, uye akati, “Mwari ngaandiwedzere mumwe mwanakomana.” Shure kwokuberekwa kwaJosefa naRakeri, Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndiregei ndiende kunyika yokwangu. Ndipei vakadzi vangu navana, avo vandakakushandirai kuti ndigowana, uye ndigoenda. Munoziva kuti ndakakushandirai sei.” Asi Rabhani akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, ndapota hangu imbogara. Ndakaona nokuvuka kuti Jehovha akandiropafadza nokuda kwako.” Akatizve, “Reva muripo wako, uye ndichakuripa.” Jakobho akati kwaari, “Munoziva kuti ndakakushandirai sei uye kuti zvipfuwo zvenyu ndakazvichengeta sei. Zvishoma zvamaiva nazvo kare ndisati ndauya zvawanda, uye Jehovha akakuropafadzai kwose kwandakanga ndiri. Asi zvino, ndichaitirawo mhuri yangu chinhu riniko?” Akamubvunza akati, “Ndokupeiko?” Jakobho akati, “Musandipa chinhu. Asi kana mukandiitira chinhu chimwe chete ichi, ndicharamba ndichifudza makwai enyu uye ndichaachengeta: Regai ndifambe pakati pezvipfuwo zvenyu zvose nhasi uye nditsaure pakati pazvo zvose zvina mavara namakwai ana makwapa, gwayana dema rimwe nerimwe nembudzi imwe neimwe ina mavara kana ina makwapa. Ndizvo zvichava mubayiro wangu. Uye kutendeka kwangu kuchandipupurira pane ramangwana rangu, pose pamunenge muchizoona mubayiro wangu wamakandipa. Mbudzi ipi zvayo yandinayo inenge isina mavara kana gwapa, kana gwayana ripi zvaro rinenge risina kusviba, zvichanzi zvakabiwa.” Rabhani akati, “Ndizvozvo. Ngazvive sezvawataura.” Musi wacho iwoyo akatsaura nhongo dzose dzembudzi dzakanga dzine mitsetse kana dzaiva namakwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi (dzose dzakanga dzine zvichena padziri) namakwayana matema ose, akazvichengetesa navanakomana vake. Ipapo akaisa nhambwe yorwendo rwamazuva matatu pakati pake naJakobho, asi Jakobho akaramba achifudza makwai akanga asara aRabhani. Kunyange zvakadaro, Jakobho akatora matavi akatemwa kubva pamupopura, muarimondi noomuti womupureni uye akasvuura mitsetse michena pairi achibvisa gwati kuti kuchena kwedanda kwomukati kuonekwe. Ipapo akaisa matanda ose akasvuurwa muzvinwiro zvose, kuitira kuti ave mberi kwezvipfuwo pazvainge zvauya kuzonwa. Zvipfuwo zvapfumvura zvaiti pazvinenge zvauya kuzonwa mvura, zvaisangana pamberi pamatanda. Uye zvaibereka vana vane mitsetse kana vane mavara kana makwapa. Jakobho aitsaura mbudzana kana makwayana oga, asi aiita kuti akasara atarisane nezvipfuwo zvine mitsetse nezvipfuwo zvitema zvakanga zviri zvaRabhani. Nokudaro akaparadzanisa zvipfuwo zvake nezvaRabhani. Pose painge nhunzvi dzezvipfuwo zvine simba zvapfumvura, Jakobho aiisa matanda muzvinwiro pamberi pezvipfuwo kuitira kuti zvisangane pedyo namatanda, asi kana zvipfuwo zvisina simba, aisaisa matanda ipapo. Saka zvipfuwo zvisina simba zvakaenda kuna Rabhani uye zvine simba zvikaenda kuna Jakobho. Nenzira iyi murume uyu akapfuma kwazvo uye akava namapoka akawanda amakwai, navarandakadzi navarandarume, uye ngamera nembongoro. Jakobho akanzwa kuti vanakomana vaRabhani vakanga vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu.” Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga. Ipapo Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava newe.” Saka Jakobho akatuma shoko kuna Rakeri naRea kuti vauye kusango kwakanga kuna makwai ake. Akati kwavari, “Ndinoona kuti ndangariro dzababa venyu kwandiri hadzisisina kuita sezvadzakanga dzakaita kare, asi Mwari wababa vangu aneni. Munoziva kuti ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose, asi baba venyu vakandinyengera nokushandura-shandura mubayiro wangu kagumi kose. Kunyange zvakadaro hazvo, Mwari haana kuvatendera kuti vandikuvadze. Pavakati, ‘Zvina mavara zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakabereka zvina mavara, uye pavakati, ‘Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakaberekwa zvine mitsetse. Saka Mwari akatora zvipfuwo zvababa venyu akazvipa kwandiri. “Panguva yokubereka kwezvipfuwo, ndakarota dzimwe hope dzokuti ndakatarira ndikaona kuti nhongo dzembudzi dzaisangana nezvipfuwo dzakanga dzine mitsetse, dzina mavara kana kuti dzina makwapa. Mutumwa waMwari akati kwandiri mukurota, ‘Jakobho,’ ini ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano.’ Uye akati, ‘Tarira uone kuti nhongo dzose dzembudzi dzinosangana nezvipfuwo zvose dzine mitsetse, mavara kana makwapa, nokuti ndaona zvose zvakanga zvichiitwa naRabhani kwauri. Ndini Mwari weBheteri, kuya kwawakazodza mbiru uye kwawakaita mhiko neni. Zvino kurumidza ubve munyika ino uye udzokere kunyika kwawakazvarirwa.’ ” Ipapo Rakeri naRea vakati, “Ko, tichine mugove munhaka yababa vedu here? Ko, havationi savatorwa here? Havana kungotitengesa chete, asi vakashandisa mutengo wedu wose. Zvirokwazvo pfuma yose yakatorwa naMwari kubva kuna baba vedu ndezvedu nevana vedu. Saka ita zvose zvaunoudzwa naMwari.” Ipapo Jakobho akaisa vana vake navakadzi vake pangamera, uye akatinha zvipfuwo zvose pamwe chete nepfuma yose yaakanga aunganidza muPadhani Aramu, kuti aende kuna baba vake Isaka kunyika yeKenani. Rabhani akati aenda kundoveura makwai ake, Rakeri akaba vamwari vomumba mababa vake. Pamusoro paizvozvo, Jakobho akanyengera Rabhani muAramu nokusamuudza kuti ava kuenda. Saka akatiza nezvose zvaakanga anazvo, akayambuka Rwizi akananga kunyika yezvikomo yeGireadhi. Pazuva rechitatu Rabhani akazoudzwa kuti Jakobho akanga atiza. Akatora hama dzake, akatevera Jakobho kwamazuva manomwe uye vakamubatira munyika yezvikomo yeGireadhi. Ipapo Mwari akasvika kuna Rabhani muAramu mukurota usiku uye akati kwaari, “Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.” Jakobho akanga adzika tende rake munyika yezvikomo yeGireadhi paakabatwa naRabhani, uye Rabhani nehama dzake vakadzikawo musasa ipapo. Ipapo Rabhani akati kuna Jakobho, “Waiteiko? Wandinyengera, uye watakura vanasikana vangu senhapwa muhondo. Ko, watizirei muchivande uye ukandinyengera? Seiko usina kundiudza, kuitira kuti ndaidai ndakuendesa nomufaro uye kuchiimbwa nziyo nokuridzwa matamburena norudimbwa? Hauna kunditendera kutsvoda vazukuru vangu kana kuonekana navanasikana vangu. Waita zvoupenzi. Ndine simba rokukukuvadza; asi usiku Mwari wababa vako ati kwandiri, ‘Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.’ Zvino wakada kuenda nokuda kwokushuva kudzokera kuimba yababa vako. Asi wakabireiko vamwari vangu?” Jakobho akapindura Rabhani akati, “Ndakanga ndichitya, nokuti ndakafunga kuti maizonditorera vanasikana venyu nechisimba. Asi kana mukawana munhu upi zvake anenge ana vamwari venyu, iyeye haafaniri kurarama. Pamberi pehama dzedu zvionerei pachenyu kana pane chinhu chenyu pano neni; uye kana zvakadaro, muchitore henyu.” Zvino Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga aba vamwari vacho. Saka Rabhani akapinda mutende raJakobho nomutende raRea uye nomumatende maviri avarandakadzi, asi haana kuwana chinhu. Mushure mokubuda kwake mutende raRea, akapinda mutende raRakeri. Zvino Rakeri akanga atora vamwari vomuimba yababa vake akavaisa pasi pechigaro chengamera yake uye akanga agere pamusoro pazvo. Rabhani akatsvaka pakati pezvinhu zvose mutende asi haana kuwana chinhu. Rakeri akati kuna baba vake, “Regai henyu kutsamwa, ishe wangu, kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; ndiri pamutowo wavakadzi.” Saka akatsvaka asi haana kuwana vamwari veimba yake. Jakobho akatsamwa uye akapopotera Rabhani akati, “Mhaka yangu ndeyeiko? Chivi chandakaita ndecheiko zvamandivhima mukadai? Zvino zvamatsvaka pakati penhumbi dzangu dzose, chiiko chamawana chokumba kwenyu? Chiisei pano pamberi pehama dzenyu, uye ngavatonge pakati pedu isu vaviri. “Ndakanga ndinemi makore makumi maviri aya. Makwai enyu nembudzi dzenyu hazvina kusvodza, uye handina kudya makondohwe amakwai enyu. Handina kuuya kwamuri nezvipfuwo zvakabvamburwa nezvikara zvesango; ndakatakura mutoro wacho pachangu. Uye makareva muripo kubva kwandiri pane zvose zvakabiwa masikati kana usiku. Aya ndiwo aiva magariro angu: Ndakapiswa nezuva masikati uye nechando usiku, uye hope dzakatiza mumaziso angu. Zvakanga zvakaita saizvozvi kwamakore gumi namana nokuda kwavanasikana venyu vaviri ava uye makore matanhatu nokuda kwezvipfuwo zvenyu, uye makashandura mabayiro wangu kagumi. Dai Mwari wababa vangu, iye Mwari waAbhurahama uye aityiwa naIsaka, akanga asineni, zvirokwazvo mungadai makandiendesa ndisina chinhu. Asi Mwari akaona kutambudzika kwangu nokubata kwamaoko angu, uye usiku akakutsiurai.” Rabhani akapindura Jakobho akati, “Madzimai aya vanasikana vangu, uye vana ava vana vangu, uye zvipfuwo izvi ndezvangu. Zvose zvaunoona ndezvangu. Asi ndichaiteiko nhasi pamusoro pavanasikana vangu ava, kana pamusoro pavana vavakabereka? Uya zvino, ngatiite sungano, iwe neni, uye ngaive chapupu pakati pedu.” Saka Jakobho akatora ibwe akarimisa sembiru. Iye akati kuhama dzake, “Unganidzai mamwe mabwe.” Saka vakatora mabwe vakaaunganidza vakaita murwi, uye vakadya ipapo pamurwi. Rabhani akautumidza zita rokuti Jegari Sahadhuta, uye Jakobho akautumidza kuti Gareedhi. Rabhani akati, “Murwi uyu ndiwo uchapupu pakati pangu newe nhasi.” Ndokusaka wakanzi Gareedhi. Wakanga uchinziwo Mizipa, nokuti akati, “Jehovha ngaachengete iwe neni patinenge tiri kure nokure. Kana ukabata vanasikana vangu zvakaipa kana kutora vamwe vakadzi kunze kwevanasikana vangu, kunyange dai mumwe munhu akasava nesu, rangarira kuti Mwari ndiye chapupu pakati pako neni.” Rabhani akatiwo kuna Jakobho, “Hoyu murwi uyu, uye heyi mbiru yandamisa iyi pakati pako neni. Murwi uyu ndiwo chapupu uye mbiru iyi ndiyo chapupu, kuti handizopfuuri murwi uno ndichiuya kwauri kuti ndizokukuvadza uye kuti iwe hauzopfuuri murwi uno nembiru uchiuya kurutivi rwangu kuti uzondikuvadza. Mwari waAbhurahama naMwari waNahori, iye Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Saka Jakobho akaita mhiko muzita raiye aityiwa nababa vake Isaka. Akapa chibayiro imomo munyika yezvikomo uye akakoka hama dzake kuti dzizodya. Mushure mokudya ikoko vakavatapo usiku ihwohwo. Mangwanani akatevera Rabhani akatsvoda vazukuru vake navanasikana vake uye akavaropafadza. Ipapo akabva akadzokera kumusha kwake. Jakobho akaendawo nzira yake, uye vatumwa vaMwari vakasangana naye. Jakobho akati achivaona, akati, “Uyu ndiwo musasa waMwari!” Saka akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Mahanaimi. Jakobho akatuma nhume mberi kwake kumukoma wake Esau munyika yeSeiri, iyo nyika yeEdhomu. Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna tenzi wangu Esau kuti: ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, Ndakanga ndichigara naRabhani uye ndakagarako kusvikira zvino. Ndine mombe nembongoro, makwai nembudzi, varandarume navarandakadzi. Zvino ndiri kutuma shoko iri kuna she, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.’ ” Nhume dzakati dzadzoka kuna Jakobho, dzakati kwaari, “Takaenda kumukoma wenyu Esau, uye ari kuuya zvino kuzosangana nemi, uye ana varume mazana mana.” Ipapo Jakobho akatya zvikuru uye akatambudzika, akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo mumapoka maviri, uye makwai nemombe nengamerawo. Iye akafunga akati, “Kana Esau akasvika akaparadza rimwe boka, boka rasara ringapunyuka.” Ipapo Jakobho akanyengetera akati, “Haiwa Mwari wababa vangu Abhurahama, Mwari wababa vangu Isaka, imi Jehovha makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yokwako nokuhama dzako, uye ndichaita kuti ubudirire,’ ini handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose idzi uye nokutendeka kwamakaratidza muranda wenyu. Ndakanga ndichingova netsvimbo yangu bedzi pandakayambuka Jorodhani urwu, asi zvino ndava mapoka maviri. Ndinokumbira kuti mundiponese kubva muruoko rwomukoma wangu Esau, nokuti ndinotya kuti achasvika akandiuraya, uyewo madzimai aya navana vavo. Asi imi makati, ‘Zvirokwazvo ndichaita kuti ubudirire uye kuti zvizvarwa zvako zvive sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa.’ ” Akapedza usiku hwose ipapo, uye pane zvaakanga anazvo, akatsaurira mukoma wake Esau chipo chaiti: mazana maviri enhunzvi dzembudzi namakumi maviri enhongo dzembudzi, mazana maviri amatunzvi amakwai namakondohwe makumi maviri, ngamera hadzi, makumi matatu navana vadzo, mhou dzemombe makumi mana nehando gumi, mbongoro hadzi makumi maviri uye nehono gumi. Akaita kuti zvichengetwe navaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga, uye akati kuvaranda vake, “Tungamirai mberi kwangu, uye musiye nzvimbo pakati pamapoka.” Akarayira uya akanga achitungamirira akati, “Mukoma wangu Esau paanosangana nemi uye akakubvunza achiti, ‘Uri waaniko iwe, uye uri kuendepi, uye pfuma yose iri mberi kwako ndeyani?’ ipapo iwe unofanira kupindura uchiti, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho. Izvi zvipo zvatumirwa kuna she wangu Esau, uye iye ari kutevera mumashure medu.’ ” Akarayirawo wechipiri, wechitatu uye navamwe vose vaitevera mapoka achiti, “Munofanira kutaura chinhu chimwe chete kuna Esau pamunosangana naye. Uye murangarire kuti, ‘Muranda wenyu Jakobho ari kuuya mumashure medu.’ ” Nokuti akafunga akati, “Ndamunyaradza nezvipo zvandiri kumutumira mberi; pandinozomuona, zvichida achandigamuchira.” Saka chipo chaJakobho chakatungamira mberi kwake, asi iye pachake akavata mumusasa. Nokuti akafunga akati, “Ndichamunyaradza nezvipo zvandiri kutumira mberi; pandinozomuona, zvichida achandigamuchira.” Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora vakadzi vake vaviri, varandakadzi vake navanakomana vake gumi nomumwe vakayambuka pazambuko reJabhoki. Shure kwokuvayambutsa rukova, akayambutsawo zvose zvaakanga anazvo. Saka Jakobho akasara ari oga, uye mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga hwatsvuka. Murume uye paakaona kuti akanga asingagoni kumukunda, akabata pahudyu yaJakobho zvokuti hudyu yakashodogoka paakanga achiita mutsimba nomunhu uyu. Ipapo murume uya akati, “Ndirege ndiende, nokuti utonga hwatsvuka.” Asi Jakobho akapindura akati, “Handingatongokuregei muchienda kusvikira mandiropafadza.” Murume uya akamubvunza akati, “Zita rako ndianiko?” Jakobho akapindura akati, “Jakobho.” Ipapo murume uya akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Israeri, nokuti wakarwa naMwari uye nomunhu uye ukakunda.” Jakobho akati, “Ndapota hangu, ndiudzei zita renyu.” Asi iye akapindura akati, “Seiko uchibvunza zita rangu?” Ipapo akamuropafadza. Saka Jakobho akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Penieri, akati, “Nokuti ndaona Mwari chiso nechiso, asi handina kufa.” Zuva rakakwira pamusoro pake, paakanga opfuura Penieri, uye akanga achikamhina nokuda kwehudyu yake. Naizvozvo kusvikira zuva ranhasi vaIsraeri havadyi runda rakabatanidzwa nehudyu, nokuti hudyu yaJakobho yakanga yakuvadzwa pedyo nerunda. Jakobho akasimudza meso ake ndokuona hoyo Esau, achiuya ana varume mazana mana; saka akaparadzanisa vana pakati paRea naRakeri navarandakadzi vaviri. Akaisa varandakadzi navana vavo pamberi, Rea navana vake vachitevera, uye Rakeri naJosefa mumashure. Iye pachake akatungamira mberi akakotamira pasi kanomwe paakanga oswedera kumukoma wake. Asi Esau akamhanya kundosangana naye uye akamumbundikira mumutsipa namaoko ake uye akamutsvoda. Uye vakachema. Ipapo Esau akasimudza meso ake akaona madzimai navana. Akamubvunza akati, “Ndivanaaniko ava vaunavo?” Jakobho akapindura akati, “Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari.” Ipapo varandakadzi navana vavo vakaswedera uye vakakotama pasi. Zvimwe chetezvo, Rea navana vake vakasvika uye vakakotama pasi. Mushure mavo vose Josefa naRakeri, naivowo vakakotama pasi. Esau akati, “Ko, unorevei namapoka ose andasangana nawo aya?” Iye akati, “Kuti ndiwane nyasha pamberi penyu, ishe wangu.” Asi Esau akati, “Ndatova nezvizhinji, munun'una wangu. Chizvichengetera iwe zvaunazvo.” Jakobho akati, “Kwete ndapota! Kana ndawana nyasha kwamuri gamuchirai henyu chipo ichi kubva kwandiri. Nokuti kuona chiso chenyu kunenge kuona chiso chaMwari, sezvo zvino mandigamuchira zvakanaka kudai. Ndapota, gamuchirai chipo chandakuvigirai, nokuti Mwari akandiitira nyasha uye ndine zvose zvandinoda.” Uye nokuda kwokuti Jakobho akaramba achimugombedzera, Esau akazochigamuchira. Ipapo Esau akati, “Ngatiendei zvedu; ndichakuperekedzai.” Asi Jakobho akati kwaari, “Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku uye kuti ndinofanira kuchengetedza makwai nemombe dziri kunwisa. Kana zvikanyanya kutinhwa nezuva rimwe chete, zvingazofa. Saka ishe wangu ngaatungamire hake mberi kwomuranda wake, ini ndichifamba hangu zvishoma zvishoma nenhambwe dzinoenderana nezvipfuwo zviri mberi kwangu, uyewo zvinoenderana navana, kudzamara ndasvika kuna she wangu kuSeiri.” Esau akati, “Zvino chirega ndisiye vamwe vanhu vangu newe.” Jakobho akabvunza akati, “Asi mungaitireiko izvozvo? Regai ndiwane nyasha pamberi pashe wangu bedzi.” Saka pazuva iroro, Esau akapinda munzira yake akadzokera kuSeiri. Zvisinei hazvo, Jakobho akaenda kuSukoti, kwaakazvivakira imba yake uye akaitirawo zvipfuwo zvake matanga. Ndokusaka nzvimbo iyo ichinzi Sukoti. Shure kwokubva kwaJakobho kuPadhani Aramu, akasvika zvakanaka kuguta reShekemu muKenani uye akadzika musasa wake pakatarisana neguta. Akatenga nzvimbo yaakadzika matende ake kubva kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu nezana resirivha. Ndipo paakavaka aritari akaitumidza zita rokuti Eri Erohe Israeri. Zvino Dhaina, mwanasikana akaberekerwa Jakobho naRea, akabuda kundoshanyira madzimai enyika iyo. Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, mutongi wenzvimbo iyo, akati amuona, akamutora akavata naye, uye akamunyadza. Mwoyo wake wakadokwairira Dhaina mwanasikana waJakobho, uye aida musikana uyu, uye akataura naye zvinyoronyoro. Saka Shekemu akati kuna Hamori baba vake, “Nditorerei musikana uyu kuti ave mukadzi wangu.” Jakobho paakanzwa kuti mwanasikana wake Dhaina akanga asvibiswa, vanakomana vake vakanga vari kusango nezvipfuwo zvake; saka akanyarara pamusoro pazvo kusvikira vauya kumba. Ipapo Hamori baba vaShekemu vakabuda kundotaura naJakobho. Zvino vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango, pavakangonzwa zvakanga zvaitika. Vakanga vane shungu uye vakatsamwa, nokuti Shekemu akanga aita chinhu chinonyadza kwazvo kuna Israeri, chokuvata nomwanasikana waJakobho, chinhu chisingafaniri kuitwa. Asi Hamori akati kwavari, “Mwanakomana wangu Shekemu anodokwairira mwanasikana wenyu. Ndapota mupei henyu iye kuti ave mukadzi wake. Ngatiwaniranei; tipei vanasikana venyu uye imiwo mutore vanasikana vedu. Munogona henyu kugara pakati pedu; nyika iri pamberi penyu. Garaimo, tengesaimo, uye muve nepfuma murimo.” Ipapo Shekemu akati kuna baba vaDhaina nokuhanzvadzi dzake, “Regai ndiwane nyasha pamberi penyu, uye ndichakupai zvose zvamunoda. Revai henyu roora romwenga uye ndichakupai chipo chikuru sezvamunoda, uye zvose zvamuchareva kwandiri ndicharipa hangu. Ndipei bedzi musikana ave mukadzi wangu.” Nokuda kwokuti hanzvadzi yavo Dhaina yakanga yasvibiswa vanakomana vaJakobho vakapindura nokunyengera pakutaura kwavo kuna Shekemu nababa vake Hamori. Vakati kwaari, “Hatingaiti chinhu chakadaro; hatigoni kupa hanzvadzi yedu kumurume asina kudzingiswa. Chingava chinyadzo kwatiri ichocho. Tingangotenderana kana maita chinhu chimwe chete: kuti imi muve sesu nokudzingisa varume vose. Ipapo tichakupai vanasikana vedu uye tigozvitorerawo vanasikana venyu. Tichagara pakati penyu tigova vanhu vamwe nemi. Asi kana musingadi kudzingiswa, isu tichatora hanzvadzi yedu tigoenda.” Kutaura kwavo kwainge kwakanaka kuna Hamori nomwanakomana wake Shekemu. Jaya iri raikudzwa zvikuru pakati pemhuri yose yababa varo, harina kunonoka kuita zvavakareva, nokuti akanga achifadzwa nomwanasikana waJakobho. Saka Hamori nomwanakomana wake Shekemu vakaenda kusuo reguta ravo kuti vandotaura navamwe varume vomuguta ravo. Vakati, “Vanhu ava vakanaka kwazvo kwatiri. Ngavagare munyika yedu uye vashambadzire mairi; nyika yakakura kwazvo kwavari. Tinogona kuwana vanasikana vavo uye ivo vanogona kuwana veduwo. Asi varume vachatenderana nesu kuti tive savanhu vamwe nechinhu chimwe bedzi, chokuti vanhurume vedu vadzingiswe, sezvavari ivo. Ko, mombe dzavo, pfuma yavo nezvimwe zvipfuwo zvavo hazvingavi zvedu here? Saka ngatitenderanei navo, uye ivo vagogara pakati pedu.” Varume vose vakabuda kusuo reguta vakabvumirana naHamori nomwanakomana wake Shekemu, uye vanhurume vose vomuguta vakadzingiswa. Shure kwamazuva matatu, vose vachiri kurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhaina, vakatora minondo yavo vakarwisa guta rakanga risina chifungidziro, vakauraya munhurume wose. Vakauraya Hamori nomwanakomana wake nomunondo uye vakatora hanzvadzi yavo Dhaina kubva mumba maShekemu vakaenda. Vanakomana vaJakobho vakasvika kuzvitunha uye vakapamba guta iro makanga masvibiswa hanzvadzi yavo. Vakatora makwai avo nemombe dzavo, mbongoro dzavo nezvose zvakanga zviri zvavo muguta uye nezvaiva musango. Vakatakura pfuma yavo navakadzi vavo vose navana, vakapamba zvinhu zvose zvaiva mudzimba. Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandiparira dambudziko mukandiita chinhu chinonhuwa kuvaKenani navaPerezi, vanhu vagere munyika muno. Tiri vashoma isu, uye kana vakandikomberana uye vakarwa neni, ini nemhuri yangu tichaparadzwa.” Asi ivo vakapindura vakati, “Zvakanaka here kuti vabate hanzvadzi yedu sechifeve?” Ipapo Mwari akati kuna Jakobho, “Kwira uende kuBheteri undogara ikoko, uye uvake aritari yaMwari ikoko, iye akazviratidza kwauri pawakanga uchitiza mukoma wako Esau.” Saka Jakobho akati kune veimba yake nokuna vose vakanga vanaye, “Bvisai vamwari vavatorwa vamunavo, muzvinatse uye mupfeke dzimwe nguo dzenyu. Ipapo mugouya tiende kuBheteri, uko kwandichandovaka aritari yaMwari, iye akandipindura pazuva rokutambudzika kwangu uye iye akanga aneni kwose kwandakaenda.” Saka vakapa Jakobho vamwari vavatorwa vose vavaiva navo uye nemhete dzaiva munzeve dzavo, uye Jakobho akazvifusira pasi pomuouki weShekemu. Ipapo vakasimuka, uye kutya Mwari kukawira pamusoro pamaguta ose akavapoteredza zvokuti hakuna munhu akavatevera. Jakobho navanhu vose vaaiva navo vakasvika kuRuzi (ndirowo Bheteri) munyika yeKenani. Akavaka aritari ipapo, uye akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Eri Bheteri, nokuti Mwari akazviratidza kwaari ipapo paakanga achitiza mukoma wake. Zvino Dhebhora, mureri waRabheka, akafa uye akavigwa pasi pomuouki mujinga meBheteri. Saka pakatumidzwa zita rokuti Aroni Bhakuti. Shure kwokudzokera kwaJakobho kuPadhani Aramu, Mwari akazviratidza zvakare uye akamuropafadza. Mwari akati kwaari, “Zita rako ndiJakobho, asi hauchanzi Jakobho, zita rako richanzi Israeri.” Saka akamutumidza zita rokuti Israeri. Uye Mwari akati kwaari, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; berekenai muwande. Rudzi neboka rendudzi zvichabva kwauri, uye namadzimambo mauri. Nyika yandakapa Abhurahama naIsaka ndinoipawo kwauri, uye ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako zvinokutevera.” Ipapo Mwari akakwira kudenga akabva panzvimbo yaakanga ataura naye. Jakobho akamisa mbiru yebwe panzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye, uye akadururira chipiriso chinonwiwa pariri; akadirawo mafuta pariri. Jakobho akatumidza nzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye kuti Bheteri. Ipapo vakapfuurira mberi kubva kuBheteri. Vachiri chinhambwe neEfurati, Rakeri akatanga kurwadziwa uye akatambudzika zvikuru. Uye paakanga achitambudzika zvikuru pakupona mwana, mbuya vaimuchengeta vakati kwaari, “Usatya, nokuti uno mumwe mwanakomana.” Paakabudisa mweya wake, nokuti akanga ofa, akatumidza mwanakomana wake zita rokuti BheniOni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini. Saka Rakeri akafa akavigwa munzira yaienda kuEfurati (ndiro Bheterehema). Pamusoro peguva rake Jakobho akaisa mbiru, uye kusvikira zuva ranhasi mbiru iyi inoratidza guva raRakeri. Israeri akapfuurira mberi zvakare akandodzika tende rake seri kweMigidhari Edheri. Israeri achiri kugara munyika iyo, Rubheni akapinda akandovata nomurongo wababa vake Bhiriha, uye Israeri akanzwa nezvazvo. Jakobho akanga ana vanakomana gumi navaviri: Vanakomana vaRea vaiti: Rubheni dangwe raJakobho, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari naZebhuruni. Vanakomana vaRakeri vaiva: Josefa naBenjamini. Vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri vaiva: Dhani naNafutari. Vanakomana vaZiripa murandakadzi waRea vaiva: Gadhi naAsheri. Ava ndivo vanakomana vaJakobho, vaakabereka muPadhani Aramu. Jakobho akasvika kumusha kuna baba vake Isaka paMamure, pedyo neKiriati Abha (ndiro Hebhuroni), uko kwakambogara Abhurahama naIsaka. Isaka akararama kwamakore zana namakumi masere. Ipapo akabudisa mweya wake akafa uye akasanganiswa navanhu vake, akwegura kwazvo. Uye vanakomana vake Esau naJakobho vakamuviga. Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau (ndiye Edhomu). Esau akatora mukadzi wake kubva kuvakadzi veKenani: Adha mwanasikana waEroni muHiti, naOhoribhama mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni muHivhi, uyewo Bhasemati mwanasikana waIshumaeri, hanzvadzi yaNebhayoti. Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri, uye Ohoribhama akabereka Jeushi, Jaramu naKora. Ndivo vana vaEsau vaakaberekerwa muKenani. Esau akatora vakadzi vake navanakomana vake uye vanasikana vake navamwe vose veimba yake, pamwe chete nemombe dzake nezvimwe zvipfuwo zvake nepfuma yake yose yaakanga awana muKenani, akaenda kunyika yakanga iri kure nomunun'una wake Jakobho. Pfuma yakanga yawanda kwazvo kuti vagare pamwe chete; nyika yavaigara yakanga isisavaringani vose nokuda kwezvipfuwo zvavo. Saka Esau (ndiye Edhomu) akandogara kunyika yezvikomo yeSeiri. Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau baba vavaEdhomu munyika yezvikomo yeSeiri. Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau: Erifazi, mwanakomana womukadzi waEsau Adha, naReueri, mwanakomana waBhasemati mukadzi waEsau. Vanakomana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefo, Gatami naKenazi. Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau. Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza. Ava ndivo vaiva vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau. Vanakomana vaOhoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni, vaakaberekera Esau vaiva: Jeushi, Jaramu naKora. Aya ndiwo aiva madzishe pakati pezvizvarwa zvaEsau: Vanakomana vaErifazi dangwe raEsau vaiva: madzishe Temani, Omari, Sefo, Kenazi, Kora, Gatami naAmareki. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Erifazi muEdhomu; vaiva vazukuru vaAdha. Vanakomana vaReueri mwanakomana waEsau vaiva madzishe Nahati, Zera, Shama naMiza. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Reueri muEdhomu; vakanga vari vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau. Vanakomana vaOhoribhama mukadzi waEsau vaiva: madzishe Jeushi, Jaramu naKora. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Ohoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna. Ava ndivo vaiva vanakomana vaEsau (ndiye Edhomu) uye aya ndiwo madzishe avo. Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaSeiri muHori, vakanga vachigara mudunhu iroro: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana ava vaSeiri muEdhomu vakanga vari madzishe avaHori. Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomani. Timina akanga ari hanzvadzi yaRotani. Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami. Vanakomana vaZibheoni vaiva: Ayia naAna. Uyu ndiye uya Ana akawana matsime emvura inopisa mugwenga paakanga achifudza mbongoro dzababa vake Zibheoni. Vanakomana vaAna vaiva: Dishoni naOhoribhama mwanakomana waAna. Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani. Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani. Vanakomana vaDishani vaiva: Uzi naArani. Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dishoni, Ezeri naDhishani. Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori zvichienderana namarudzi avo, munyika yaSeiri. Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri: Bhera mwanakomana waBheori akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha. Bhera akati afa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo. Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo. Hushani akati afa, Kadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiani munyika yeMoabhu, akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Avhiti. Hadhadhi akati afa, Samura aibva kuMasireka akamutevera paumambo. Samura akati afa, Shauri aibva kuRehobhoti paRwizi akamutevera paumambo. Shauri akati afa, Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo. Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akati afa, Hadhari akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Pua, uye zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMeZahabhi. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Esau, namazita avo, maererano nedzimba dzavo namatunhu avo: Timina, Arivha, Jeteti, Dhoribhama, Era, Pinoni, Kenazi, Temani, Mibhiza, Magidhieri naIramu. Aya ndiwo akanga ari madzishe eEdhomu, maererano namagariro avo munyika yavakatora. Jakobho akagara munyika yakanga yambogarwa nababa vake, iyo nyika yeKenani. Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho. Josefa jaya ramakore gumi namanomwe, akanga achifudza makwai pamwe chete namadzikoma ake, vanakomana vaBhiriha navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake, uye akauya namashoko akaipa kuna baba vavo pamusoro pavo. Zvino Israeri akanga achida Josefa kupfuura vamwe vavanakomana vake, nokuti akanga aberekwa panguva youtana hwake; uye akamuitira nguo yakaisvonaka. Madzikoma ake akati aona kuti baba vavo vaimuda kupfuura ani zvake pakati pavo, vakamuvenga uye vakasagona kutaura naye mashoko akanaka. Josefa akarota hope, uye paakaudza madzikoma ake izvozvo, vakanyanya kumuvenga. Akati kwavari, “Inzwai hope dzandakarota idzi: Takanga tichisunga zvisote zvezviyo kumunda onei pakarepo chisote changu chakasimuka chikamire chakati twi, asi zvisote zvenyu zvakaungana zvakapoteredza changu uye zvikakotama kwachiri.” Madzikoma ake akati kwaari, “Ko, iwe unoda kutitonga here? Ko, zvirokwazvo uchatitonga here iwe?” Uye vakanyanyisa kumuvenga nokuda kwokurota kwake uye nokuda kwezvaakanga ataura. Ipapo akarotazve dzimwe hope, uye akadzitaura kumadzikoma ake. Akati, “Inzwai, ndarota dzimwe hope, uye panguva iyi zuva nomwedzi nenyeredzi gumi neimwe zvakanga zvichindipfugamira.” Paakaudza baba vake pamwe chete namadzikoma ake, baba vake vakamutsiura vakati, “Kurotai kwawakaita uku? Ko, mai vako neni namadzikoma ako tichauya kuzokupfugamira here iwe zvirokwazvo?” Madzikoma ake akamuitira godo, asi baba vake vakazvichengeta mumwoyo mavo. Zvino madzikoma ake akanga abuda kundofudza makwai ababa vavo pedyo neShekemu, uye Israeri akati kuna Josefa, “Sezvaunoziva, madzikoma ako ari kufudza makwai pedyo neShekemu. Uya, ndikutume kwavari.” Iye akati, “Zvakanaka.” Saka akati kwaari, “Enda undoona kana zvinhu zvakanaka kumadzikoma ako nezvipfuwo, uye ugodzoka kwandiri neshoko.” Ipapo akamutuma achibva napaMupata weHebhuroni. Josefa akati asvika kuShekemu, mumwe murume akamuwana achidzungaira musango uye akamubvunza akati, “Uri kutsvakeiko?” Iye akapindura akati, “Ndiri kutsvaka madzikoma angu. Mungandiudzawo kwavanofudzira makwai avo here?” Murume uya akati, “Vabva pano, ndavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’ ” Saka Josefa akatevera madzikoma ake uye akandovawana pedyo neDhotani. Asi vakamuona achiri kure, uye asati asvika kwavari, ivo vakarangana kumuuraya. Vakataurirana vachiti, “Hoyo muroti uya ouya! Uyai zvino timuuraye tigomukanda mune rimwe ramatsime aya uye tigoti akadyiwa nechikara. Ipapo tichazoona zvinobva pakurota kwake.” Rubheni akati anzwa izvi, akaedza kumununura kubva mumaoko avo. Akati, “Ngatiregei kumuuraya. Regai kuteura ropa. Mukandei mutsime iri muno mugwenga, asi regai kutambanudza maoko enyu paari.” Rubheni akareva izvozvi kuti amununure kwavari uye kuti agomudzosera kuna baba vake. Saka Josefa akati asvika kumadzikoma ake, vakamubvisa nguo yake, iyo nguo iya yakanga yakaisvonaka yaakanga akapfeka, uye vakamutora vakamukanda mutsime. Zvino tsime rakanga rapwa risina mvura. Pavakagara kuti vadye zvokudya zvavo, vakasimudza meso avo vakaona ngoro dzavaIshumaeri dzichibva kuGireadhi. Ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvinonhuwira, bharimu nemura, uye vakanga vachienda nazvo kuIjipiti. Judha akati kuhama dzake, “Tichawaneiko kana tikauraya munun'una wedu uye tikafushira ropa rake? Uyai, ngatimutengesei kuvaIshumaeri ava uye tirege kutambanudza maoko edu paari; pamusoro pezvo iye munun'una wedu, nyama yedu neropa redu.” Madzikoma ake akatenderana. Saka vashambadziri veMidhiani vakati vasvika, madzikoma ake akabudisa Josefa kubva mutsime vakamutengesa kuvaIshumaeri namashekeri makumi maviria esirivha, ivo vakaenda naye kuIjipiti. Rubheni paakadzokera kutsime uye akawana Josefa asisimo akabvarura nguo dzake. Akadzokerazve kuvanun'una vake akati, “Mukomana haasisimo! Zvino ndichaendepiko?” Ipapo vakatora nguo yaJosefa, vakauraya mbudzi ndokunyika nguo iya muropa. Vakatora nguo iya yakaisvonaka vakaenda nayo kuna baba vavo vakati, “Takanonga ichi. Cherechedzai muone kana ingava nguo yomwanakomana wenyu.” Iye akaiziva uye akati, “Inguo yomwanakomana wangu! Zvimwe zvikara zvesango zvamudya. Zvirokwazvo Josefa akabvamburwa-bvamburwa.” Ipapo Jakobho akabvarura nguo dzake, akapfeka nguo dzamasaga uye akachema mwanakomana wake kwamazuva mazhinji. Vanakomana vake navanasikana vake vose vakauya kuzomunyaradza, asi akaramba kunyaradzwa. Akati, “Kwete, ndichaburuka kuguva ndichichema mwanakomana wangu.” Saka baba vake vakamuchema. Zvichakadaro, vaMidhiani vakatengesa Josefa muIjipiti kuna Potifa mumwe wavabati vaFaro, mukuru wavarindi. Panguva iyoyo, Judha akabva kuhama dzake akaburuka akandogara nomurume wokuAdhurama ainzi Hira. Ikoko Judha akasangana nomwanasikana womumwe murume muKenani ainzi Shua. Akamuwana uye akavata naye; akava nemimba akabereka mwanakomana, zita rake rainzi Eri. Akaitazve imwe mimba akabereka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Onani. Akabereka mumwezve mwanakomana akamutumidza zita rokuti Shera. Akamuberekera kuKezibhi. Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi, uye zita rake ainzi Tamari. Asi Eri, dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akamuuraya. Ipapo Judha akati kuna Onani, “Vata nomukadzi womukoma wako uye umuitire zvawakafanira kuita kwaari somunun'una, kuti uberekere mukoma wako vana.” Asi Onani akaziva kuti vana havaizova vake; saka pose paaivata nomukadzi womukoma wake, aiteurira mbeu pasi kuti arege kuberekera mukoma wake vana. Zvaakaita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha; saka akamuurayawo. Ipapo Judha akati kuna Tamari mukadzi womwana wake, “Gara hako uri chirikadzi mumba mababa vako kusvikira mwanakomana wangu Shera akura.” Nokuti akafunga kuti, “Naiye angafawo, sezvakaita madzikoma ake.” Saka Tamari akaenda akandogara mumba mababa vake. Shure kwenguva refu mukadzi waJudha, mwanasikana waShua, akafa. Judha akati anyaradzwa kubva pakuchema kwake, akakwira akaenda kuTimina kuvarume vakanga vachiveura makwai, uye shamwari yake Hira muAdhuramu akaenda naye. Tamari akati audzwa kuti, “Vatezvara vako vari kuenda kuTimina kuti vandoveura makwai avo,” akabvisa nguo dzechirikadzi, akazvifukidza nechifukidzo chokumeso kuti azvivanze, uye ipapo akagara pasi pamukova unopinda kuEnaimi, uri munzira inoenda kuTimina. Nokuti akaona kuti kunyange zvazvo Shera akanga akura, haana kunge apiwa kwaari kuti ave mukadzi wake. Judha akati amuona, akafunga kuti chifeve, nokuti akanga akafukidza uso hwake. Asingazivi kuti akanga ari muroora wake, akaenda kwaari parutivi rwenzira akati, “Uya zvino, rega ndivate newe.” Iye akati, “Unozondipei kuti ndivate newe?” Iye akati, “Ndingakupa mbudzana kubva muboka rangu rembudzi.” Iye akati, “Ungandipa chimwe chinhu here kuti chive chitsidzo kusvikira wazonditumira?” Iye akati, “Ndingakupa chitsidzo cheiko?” Akapindura akati, “Mhete yako yechisimbiso norutambo rwayo, netsvimbo iri muruoko rwako.” Saka akamupa izvozvo uye akavata naye, uye akava nemimba naye. Shure kwokubva kwake ipapo akabvisa chifukidzo ndokubva apfekazve nguo dzake dzechirikadzi. Zvichakadaro, Judha akatuma shamwari yake muAdhuramu nembudzana iya kuitira kuti chitsidzo chake chidzoswe kwaari kubva kumukadzi uya, asi haana kumuwana. Akabvunza varume vaigara ikoko akati, “Chiripiko chifeve chaigara parutuvi rwenzira yeEnaimi?” Ivo vakati, “Hapana kumbova nechifeve pano.” Saka iye akadzokerazve kuna Judha akandoti, “Handina kumuwana. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanogara ikoko vakati, ‘Hakuna kumbova nechifeve kuno.’ ” Ipapo Judha akati, “Regai achengete zvaanazvo, kuti arege kuzova chiseko. Zvakadaro ndanga ndamutumira mbudzana iyi, asi hauna kugona kumuwana.” Shure kwemwedzi inenge mitatu, Judha akaudzwa kuti, “Muroora wako Tamari ane mhosva youfeve, uye nokuda kwaizvozvo ava nemimba.” Judha akati, “Mubudisei apiswe afe!” Zvino paakanga achibudiswa, akatumira shoko kuna vatezvara vake akati, “Ndine mimba yomuridzi wezvinhu izvi.” Uye akatizve, “Onai kana mungaziva mwene wemhete yechisimbiso iyi norutambo rwayo, netsvimbo iyi.” Judha akazviziva uye akati, “Iye akarurama kupfuura ini, sezvo ndanga ndisingadi kumupa kumwanakomana wangu Shera.” Uye haana kuzovata naye zvakare. Nguva yake yokupona yakati yasvika, mudumbu make makanga muna vanakomana vaviri. Paakanga achipona, mumwe wavo akabudisa ruoko rwake; saka vanyamukuta vakatora rushinda rutsvuku vakamusunga paruoko rwake uye vakati, “Uyu ndiye atanga kubuda.” Asi akati adzosera ruoko rwake mukati, munun'una wake akabuda, uye vakati, “Saka ndiwo mabudiro awaita nhai!” Uye akatumidzwa zita rokuti Perezi. Ipapo mukoma wake akanga ano rushinda rutsvuku paruoko rwake, akabuda uye akatumidzwa zita rokuti Zera. Zvino Josefa akanga atorwa akaendeswa kuIjipiti. Potifa muIjipita uyo akanga ari mumwe wamachinda aFaro ari mukuru wavarindi, akamutenga kuvaIshumaeri avo vakanga vamuendesa ikoko. Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire, uye aigara mumba momuIjipita, tenzi wake. Tenzi wake akati achiona kuti Jehovha akanga anaye uye kuti Jehovha akamuita kuti abudirire muzvinhu zvose zvaakanga achiita, Josefa akawana nyasha pamberi pake uye akava mubatiri wake. Potifa akamuita kuti ave mutariri weimba yake, uye akamuita muchengeti wezvinhu zvose zvakanga zviri zvake. Kubvira panguva yaakamuisa kuti ave mutariri weimba yake nowezvinhu zvose zvaaiva nazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipita nokuda kwaJosefa. Maropafadzo aJehovha akanga ari pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zviri zvaPotifa, zvose mumba nomumunda. Saka akaisa mumaoko aJosefa zvinhu zvose zvaakanga anazvo; Josefa ari mutariri, iye haana kumbova nehanya nezvimwe zvinhu kunze kwezvokudya zvaaidya bedzi. Zvino Josefa akanga akanyatsoumbwa, akanaka, uye shure kwechinguva mukadzi watenzi wake akatarira Josefa ndokubva ati kwaari, “Uya uzovata neni!” Asi akaramba. Akati kwaari, “Ini somutariri, tenzi wangu haana kuva nehanya nezvinhu zvose zviri mumba make; zvose zvaanazvo, akazviisa mumaoko angu. Hamuna munhu mukuru muno mumba kupfuura ini. Tenzi wangu haana kundinyima kana chinhu chimwe zvacho kunze kwenyu, nokuti imi muri mukadzi wavo. Zvino ndingaitirei chinhu chakaipa kudai uye ndichitadzira Mwari?” Uye kunyange zvake aitaura naJosefa zuva nezuva, iye akaramba kuenda panhoo naye, kana kutombova naye. Rimwe zuva akapinda mumba kuti andoita mabasa ake, uye kwakanga kusina mumwe wavashandi vomumba aivamo. Akamubata nejasi rake uye akati, “Uya kumubhedha uzovata neni!” Asi akasiya jasi rake muruoko rwake akamhanya ndokubuda kunze kwemba. Akati aona kuti asiya jasi rake muruoko rwake uye kuti akanga abuda kunze kwemba, akadanidzira kuvashandi, akati, “Tarirai, muHebheru uyu akauyiswa kwatiri kuti azotidadira! Apinda muno kuti azovata neni, asi ndaridza mhere. Paanzwa ndoridza mhere kuti ndibatsirwe, abva asiya jasi rake pandiri ndokutizira kunze kwemba.” Akachengeta jasi rake parutivi pake kusvikira tenzi wake auya kumba. Ipapo akamutaurira nyaya iyi akati, “Uya muranda wechiHebheru wamakauyisa kwatiri akauya kwandiri kuti azondidadira. Asi pandangoridza mhere kuti ndibatsirwe, akabva asiya jasi rake pandiri ndokutizira kunze kwemba.” Tenzi wake akati anzwa nyaya yaakaudzwa nomukadzi wake achiti, “Izvi ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wako,” akavira nehasha. Tenzi waJosefa akamutora akamuisa mutorongo, nzvimbo yaichengeterwa vasungwa vamambo; saka akava mutorongo. Jehovha akava naJosefa; akamunzwira tsitsi akamuitira nyasha pamberi pomutariri womutorongo. Saka mutariri womutorongo akaita kuti Josefa ave mutariri wavose vaiva vakabatwa mutorongo, uye ndiye aiona nezvose zvaiitwa imomo. Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chipi zvacho chaiva pasi paJosefa, nokuti Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire pane zvose zvaaiita. Shure kwaizvozvo, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. Faro akatsamwira varanda vake vaviri, mudiri mukuru nomubiki mukuru, akaita kuti vachengetwe mumba yomukuru wavarindi, mutorongo rimwe chetero makanga makapfigirwa Josefa. Mukuru wavarindi akavatumira kuna Josefa, iye akavachengeta uye vakava muchitokisi kwechinguva. Vose vari vaviri vakarota hope, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti, avo vakanga vakabatwa vari mutorongo, vakarota usiku humwe chetewo, uye kurota kumwe nokumwe kwakanga kune zvakunoreva. Josefa akati auya kwavari mangwanani akatevera, akaona kuti vakanga vakasurukirwa. Saka akabvunza varanda vaFaro vakanga vari muchitokisi naye mumba matenzi wake akati, “Seiko nhasi zviso zvenyu zvichipunyaira kudai?” Vakapindura vakati, “Tose tiri vaviri tarota hope, asi hakuna munhu angadzidudzira.” Ipapo Josefa akati kwavari, “Ko, kududzira hakuzi kwaMwari here? Ndiudzei kurota kwenyu.” Saka mudiri mukuru akataurira Josefa kurota kwake. Akati kwaari, “Mukurota kwangu ndaona muzambiringa pamberi pangu, uye mumuzambiringa manga mune matavi matatu. Wati uchangobuka, waita maruva, uye masumbu awo aibva akava mazambiringa. Mukombe waFaro wanga uri muruoko rwangu, uye ndatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFaro uye ndikaisa mukombe muruoko rwake.” Josefa akati kwavari, “Uku ndiko kududzirwa kwadzo. Matavi matatu ndiwo mazuva matatu. Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako uye agokudzosera pabasa rako, uye uchaisa mukombe waFaro muruoko rwake, sezvawaisimboita pawakanga uri mudiri wake. Asi pazvinenge zvakunakira iwe, undirangarire uye undiitirewo ngoni; undireverere kuna Faro kuti ndigobudiswa mutorongo rino. Nokuti ndakatorwa nokumanikidzwa kubva kunyika yavaHebheru, kunyange pano handina chinhu chakafanira kuti ndipinzwe mugomba rino.” Mubiki mukuru akati aona kuti Josefa akanga apa dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndarota hope. Pamusoro pangu panga pana matengu matatu echingwa. Mudengu rapamusoro manga mune mhando dzose dzezvinhu zvakabikwa zvaFaro, asi shiri dzanga dzichidya kubva mudengu ranga riri pamusoro pangu.” Josefa akati, “Uku ndiko kududzirwa kwazvo. Matengu matatu ndiwo mazuva matatu. Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako uye agokuturika pamuti. Uye shiri dzichadya nyama yako.” Zvino zuva rechitatu rakanga riri zuva rokuzvarwa kwaFaro, uye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza misoro yavaranda vake vaiti mudiri mukuru nomubiki mukuru pamberi pavaranda vake. Akadzosera mudiri mukuru pabasa rake, zvokuti akaisazve mukombe muruoko rwaFaro, asi akaturika mubiki mukuru pamuti, sezvazvakanga zvataurwa naJosefa kwavari mukududzira kwake. Kunyange zvakadaro hazvo, mudiri mukuru haana kurangarira Josefa; akamukanganwa. Makore maviri azere akati apfuura, Faro akarota hope: Akanga amire paNairi. Uye mhou nomwe dzakanga dzakanaka, dzakakora, dzakabuda murwizi dzikafura pakati petsanga. Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe, dzakanga dzakashata uye dzakaonda, dzakabuda muNairi, dzikamira parutivi rwedziya dzaiva kumahombekombe orwizi. Uye mhou dziya dzakanga dzakashata, dzakaonda, dzakadya mhou dziya dzakanga dzakanaka uye dzakakora. Ipapo Faro akapepuka. Akavatazve hope uye akarota kechipiri: Hura dzezviyo nomwe dzakanga dzakakora uye dzakanaka, dzakanga dzichikura padzinde rimwe. Shure kwadzo, dzimwe hura nomwe dzezviyo dzakabuda, dzakatetepa uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva. Hura dzezviyo dzakatetepa dzakamedza dziya nomwe dzakanga dzakakora, hura dzakanga dzizere. Ipapo akapepuka, onei kwakanga kuri kurota. Mangwanani pfungwa dzake dzakatambudzika, saka akatuma shoko kun'anga dzose navachenjeri veIjipiti. Faro akavaudza kurota kwake, asi hakuna munhu akagona kuzvidudzira kwaari. Ipapo mudiri mukuru akati kuna Faro, “Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu. Pane imwe nguva Faro akatsamwira varanda vake, uye akandipfigira ini nomubiki mukuru mumba momukuru wavarindi. Mumwe nomumwe wedu akarota hope usiku humwe chetehwo, uye kurota kumwe nokumwe kwaiva nedudziro yako. Zvino jaya rechiHebheru rakanga rinesu, iye muranda womukuru wavarindi, takamuudza kurota kwedu, iye akakududzira kwatiri, achipa murume mumwe nomumwe dudziro yehope dzake. Uye zvinhu zvakaitika chaizvo sezvaakadudzira kwatiri: Ini ndakadzoserwa pabasa rangu, uye mumwe murume uye akasungirirwa.” Saka Faro akatuma vanhu kuna Josefa, uye akakurumidza kubudiswa mugomba. Akati aveurwa musoro uye apfeka dzimwe nguo, akauya pamberi paFaro. Faro akati kuna Josefa, “Ndakarota hope, uye hakuna munhu akagona kudzidudzira. Asi ndanzwa zvarehwa nezvako kuti paunonzwa kurota uku, unogona kukududzira.” Josefa akapindura Faro akati, “Ini handigoni kuzviita, asi Mwari achapa Faro mhinduro yaanoda.” Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Mukurota kwangu, ndakanga ndimire pamahombekombe aNairi, ipapo ndikaona mhou nomwe dzichibuda murwizi, dzakakora uye dzakanaka, uye dzikafura pakati petsanga. Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe dzakabuda, dzine nzara uye dzakashata uye dzakaonda. Handisati ndamboona mhou dzakaipa kudai munyika yose yeIjipiti. Mhou dzakaonda uye dzakashata dzakadya mhou nomwe dziya dzakakora dzakanga dzatanga kuuya. Asi kunyange zvazvo dzakadzidya, hakuna munhu aigona kuona kuti dzakanga dzaita izvozvo; dzaingoratidzika kushata sezvadzakanga dzakaita kare. Ipapo ndakapepuka. “Mukurota kwangu, ndakaonawo hura nomwe dzezviyo, dzizere uye dzakanaka, dzichikura padzinde rimwe chete. Shure kwadzo dzimwe hura nomwe dzakamera, dzakasvava, dzakaonda uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva. Hura dziya dzakaonda dzakamedza dziya hura nomwe dzakanga dzakanaka. Ndakaudza n'anga izvi, asi hakuna akagona kunditsanangurira.” Ipapo Josefa akati kuna Faro, “Kurota kwaFaro ndokumwe uye kwakafanana. Mwari akaratidza kuna Faro zvinhu zvaava kuda kuita. Mhou nomwe dzakanaka ndiwo makore manomwe, uye hura nomwe dzakanaka dzezviyo ndiwo makore manomwe amaguta; kurota uku kumwe chete uye kwakafanana. Mhou nomwe dzakaonda uye dzakashata dzakakwira pashure, ndiwo makore manomwe, ndizvowo nehura nomwe dzezviyo dzisingabatsiri dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva; ndiwo makore manomwe enzara. “Zvakangoita sezvandataura kuna Faro ndichiti: Mwari aratidza Faro zvaava kuda kuita. Makore manomwe amaguta makuru ari kuuya munyika yose yeIjipiti, asi makore manomwe enzara achaatevera. Ipapo maguta ose omuIjipiti achakanganwikwa, uye nzara ichaparadza nyika. Maguta omunyika haachazorangarirwi, nokuti nzara inoatevera ichava huru kwazvo. Kurota uku kwapiwa kuna Faro nenzira mbiri nokuti nyaya iyi yarongwa zvizere naMwari, uye Mwari achazviita nokukurumidza. “Zvino Faro ngaatsvake munhu anonzwisisa uye akachenjera uye amugadze kuti ave mutariri wenyika yeIjipiti. Faro ngaagadze vatariri pamusoro penyika kuti vaunganidze cheshanu chezvichakohwewa muIjipiti mukati mamakore manomwe aya amaguta. Vanofanira kuunganidza zvokudya zvose zvamakore aya akanaka ari kuuya uye vagochengeta zviyo pasi pesimba raFaro, zvinofanira kuchengetwa kuti zvizove zvokudya. Zvokudya izvi zvinofanira kuchengeterwa nyika, kuti zvigozoshandiswa panguva yamakore manomwe enzara achauya pamusoro peIjipiti, kuitira kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.” Urongwa uhu hwakaratidza kuva hwakanaka kuna Faro nokuvaranda vake vose. Saka Faro akavabvunza akati, “Tingawana here munhu akaita somurume uyu, munhu ane mweya waMwari maari?” Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Sezvo Mwari aita kuti izvi zvose zvizivikanwe newe, hakuna munhu anoziva uye akachenjera sewe. Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.” Saka Faro akati kuna Josefa, “Ndakugadza kuti uve mutariri wenyika yose yeIjipiti.” Ipapo Faro akabvisa mhete yake pamunwe wake akaiisa pamunwe waJosefa. Akamupfekedza nguo dzakaisvonaka uye akaisa uketani hwegoridhe pamutsipa wake. Akamuita kuti akwire pangoro yake ari wechipiri pakutungamira, uye vanhu vakadanidzira pamberi pake vachiti, “Dziurai nzira!” Nokudaro akamuita mutariri weIjipiti yose. Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Ndini Faro, asi pasina shoko rawataura iwe hakuna munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake munyika yose yeIjipiti.” Faro akatumidza Josefa zita rokuti ZafenatiPanea uye akamupa Asenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni, kuti ave mukadzi wake. Uye Josefa akafamba munyika yose yeIjipiti. Josefa akanga ava namakore makumi matatu okuberekwa paakapinda pabasa raFaro mambo weIjipiti. Uye Josefa akabuda kubva pamberi paFaro uye akafamba munyika yose yeIjipiti. Panguva yamakore manomwe amaguta, nyika yakabereka zvizhinji kwazvo. Josefa akaunganidza zvokudya zvose zvakawanikwa mumakore manomwe aya amaguta muIjipiti akazviunganidza mumaguta. Muguta rimwe nerimwe akaisa zvokudya zvaibva muminda yakapoteredza. Josefa akaunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa; zvakanga zvakawanda zvokuti haana kuzokwanisa kuzvinyora nokuti zvakanga zvisisagoni kuyerwa. Makore enzara asati asvika, Josefa akanga aberekerwa vanakomana vaviri naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni. Josefa akatumidza dangwe rake zita rokuti Manase uye akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose navose veimba yababa vangu.” Mwanakomana wake wechipiri akamutumidza zita rokuti Efuremu uye akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndive nezvibereko munyika yokutambudzika kwangu.” Makore manomwe amaguta muIjipiti akasvika pakupera, uye makore manomwe enzara akatanga, sezvazvakanga zvarehwa naJosefa. Kwakava nenzara mune dzimwe nyika dzose, asi munyika yose yeIjipiti maiva nezvokudya. Ijipiti yose payakatanga kunzwa nzara, vanhu vakatanga kuchemera zvokudya kuna Faro. Ipapo Faro akaudza vaIjipita vose akati, “Endai kuna Josefa uye muite zvaanokuudzai.” Nzara yakati yapararira munyika yose, Josefa akazarura matura uye akatengesa zviyo kuvaIjipita, nokuti nzara yakanga iri huru munyika yose yeIjipiti. Uye nyika dzose dzakauya kuzotenga zviyo kuIjipiti kubva kuna Josefa, nokuti nzara yakanga iri huru munyika dzose. Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akati kuvanakomana vake, “Seiko muchiramba makangotarisana?” Akaenderera mberi akati, “Ndanzwa kuti kuIjipiti kune zviyo. Burukai muende ikoko mundotitengera zviyo, kuitira kuti tirarame tirege kufa.” Ipapo madzikoma aJosefa gumi vakaburuka vakaenda kundotenga zviyo kuIjipiti. Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini, munun'una waJosefa, pamwe chete navamwe, nokuti akanga achitya kuti zvakaipa zvaizomuwira. Saka vanakomana vaIsraeri vakanga vari pakati pavaya vakaenda kundotenga zviyo, nokuti nzara yakanga iri munyika yeKenaniwo. Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesa zviyo kuvanhu vayo vose. Saka madzikoma aJosefa akati asvika, vakakotamira pasi kwaari nezviso zvavo. Josefa achingoona madzikoma ake, akavaziva, asi akaita seasingavazivi uye akataura navo nehasha. Akati, “Munobvepi imi?” Ivo vakati, “Tinobva kunyika yeKenani, tauya kuzotenga zvokudya.” Kunyange zvazvo Josefa akaziva madzikoma ake, ivo havana kumuziva. Ipapo akarangarira kurota kwake pamusoro pavo akati kwavari, “Muri vasori imi. Mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.” Ivo vakapindura vakati, “Kwete, ishe wedu. Varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya. Isu tose tiri vanakomana vomunhu mumwe. Varanda venyu vakatendeka, havazi vasori.” Iye akati kwavari, “Kwete, mauya kuzoona nyika yedu paisina kudzivirirwa.” Asi vakapindura vakati, “Varanda venyu vaiva gumi navaviri, vari vanakomana vomunhu mumwe, anogara munyika yeKenani. Gotwe ndiye ari kuna baba vedu iye zvino, uye mumwe haachisipo.” Josefa akati kwavari, “Ndizvo chaizvo zvandataura kwamuri ndichiti: Muri vasori imi! Uye aya ndiwo maedzerwo amuchaitwa: Zvirokwazvo noupenyu hwaFaro, hamuchabvi panzvimbo ino kunze kwokunge munun'una wenyu gotwe auya pano. Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun'una wenyu gotwe; vamwe vose vachachengetwa mutorongo, kuti mashoko enyu aedzwe kuti zvionekwe kana muchitaura chokwadi. Kana zvisina kudaro, ipapo zvirokwazvo naFaro mupenyu, muri vasori!” Uye akavaisa vose mutorongo kwamazuva matatu. Pazuva rechitatu, Josefa akati kwavari, “Itai izvi kuti mugorarama, nokuti ndinotya Mwari. Kana muri vanhu vakatendeka, regai mumwe wenyu agare muno mutorongo, asi vamwe venyu vaende nezviyo kumhuri dzenyu dziri kuziya. Asi munofanira kuuya nomunun'una wenyu gotwe kwandiri, kuitira kuti mashoko enyu asimbiswe uye kuti murege kufa.” Izvi vakazviita. Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tava kurangwa nokuda kwomunun'una wedu. Takaona kutambudzika kwaakaita paakatikumbira kuti tirege kumuuraya, asi isu hatina kumuteerera; ndokusaka nhamo iyi yauya pamusoro pedu.” Rubheni akapindura akati, “Ko, handina kukuudzai here kuti murege kutadzira mukomana? Asi hamuna kuda kunditeerera! Zvino tinofanira kuzvidavirira nokuda kweropa rake.” Havana kuziva kuti Josefa aigona kuvanzwisisa, sezvo akanga achishandisa mududziri. Akabva pavari uye akatanga kuchema, asi pakarepo akadzoka kwavari akatauriranazve navo. Akaita kuti Simeoni atorwe kubva pakati pavo uye kuti asungwe vakatarisa. Josefa akarayira kuti masaga avo azadzwe nezviyo, vaise mari yomumwe nomumwe musaga rake, uye kuti vapiwe mbuva yorwendo rwavo. Shure kwokuitirwa kwavo izvi, vakatakudza mbongoro dzavo zviyo uye vakaenda. Panzvimbo yavakavata usiku, mumwe wavo akazarura saga rake kuti atorere mbongoro yake zvokudya, uye akaona mari yake pamuromo wesaga rake. Akati kuna vamwe vake, “Mari yangu yadzoserwa. Heyi iri musaga rangu.” Mwoyo yavo yakati rukutu uye vakatarisana vachidedera, uye vakati, “Chiiko ichi chataitirwa naMwari?” Pavakasvika kuna baba vavo Jakobho munyika yeKenani, vakamuudza zvakanga zvaitika kwavari. Vakati, “Murume anova ndiye ishe pamusoro penyika iyo akataura nesu nehasha uye akatiita sokunge taiva vasori munyika. Asi takati kwaari, ‘Tiri vanhu vakatendeka; hatisi vasori. Takanga tiri vanakomana gumi navaviri vababa vamwe chete. Mumwe haachipo, uye gotwe ndiye ana baba vedu zvino kuKenani.’ ” “Ipapo murume anova ndiye ishe panyika iyo akati kwatiri, ‘Hechi chinhu chichandizivisa kana muri vanhu vakatendeka: Siyai mumwe wenyu neni pano, mugotakura zvokudya zvemhuri dzenyu dziri kuziya muende. Asi muuye nomunun'una wenyu gotwe kwandiri kuitira kuti ndigoziva kuti hamuzi vasori, asi kuti muri vanhu vakatendeka. Ipapo ndichadzosera mumwe wenyu kwamuri, uye mungazotenga henyu muno munyika.’ ” Pavakanga vachidurura masaga avo, wanei musaga romumwe nomumwe wavo makanga mune homwe yake yesirivha! Ivo nababa vavo pavakaona mari muhomwe, vakatya. Baba vavo Jakobho vakati, “Mandipedzera vana vangu. Josefa haasisipo naSimeoni haasisipo, uye zvino munoda kutora Bhenjamini. Zvinhu zvose zviri kundimukira!” Ipapo Rubheni akati kuna baba vake, “Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri ava kana ndisina kudzoka naye kwamuri. Muisei mumaoko angu, uye ndichadzoka naye.” Asi Jakobho akati, “Mwanakomana wangu haangaburuki nemi kuti aende ikoko; mukoma wake akafa uye ndiye chete asara. Kana zvakaipa zvikamuwira parwendo rwamuri kufamba, muchaburutsira musoro wangu wachena muguva mukusuwa.” Zvino nzara yakanga ichakanyanya munyika. Saka vakati vadya zviyo zvose zvavakanga vabva nazvo kuIjipiti, baba vavo vakati kwavari, “Dzokerai mundotitengera zvimwe zvokudya.” Asi Judha akati kwavari, “Murume uya akatiyambira kwazvo akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge munun'una wenyu auya nemi.’ Kana mukaendesa munun'una wedu nesu, tichaenda kundokutengerai zvokudya. Asi kana mukasamuendesa, hatingatongoendi, nokuti murume uya akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge munun'una wenyu auya nemi.’ ” Israeri akabvunza akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamusoro pangu zvamakaudza murume uyu kuti muno mumwe munun'una?” Ivo vakapindura vakati, “Murume uyu akatibvunzisisa kwazvo nezvedu uye nezvemhuri yedu. Akati, ‘Baba venyu vachiri vapenyu here? Muno mumwe munun'una here?’ Takangopindura mubvunzo wake zvakanaka. Ko, taiziva sei kuti aizoti, ‘Uyai nomunun'una wenyu kuno?’ ” Ipapo Judha akati kuna Israeri baba vake, “Tumai mukomana pamwe chete neni tibve taenda izvozvi, kuitira kuti isu nemi navana vedu tirarame uye tirege kufa. Ini pachangu ndichava rubatso rwokuchengetedzeka kwake; musiyei muruoko rwangu pachangu. Kana ndikasadzoka naye kwamuri ndikamumisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva pamberi penyu muupenyu hwangu hwose. Izvozvi dai tisina kunonoka, tingadai takatoenda uye takatodzoka kaviri kwose.” Ipapo baba vavo Israeri vakati kwavari, “Kana zvakadaro, itai izvi zvino: Isai zvimwe zvibereko zvemichero yenyika ino zvakaisvonaka mumasaga enyu uye mugoenda nazvo sezvipo kumurume uyo, bharimu shoma shoma, nouchi hushomashoma, zvinonhuwira nemura, nzungu dzomupistakio namaarimondi. Mutakure mari yakapetwa kaviri, nokuti munofanira kudzorera mari yakanga yadzoserwa pamiromo yamasaga enyu. Zvichida kwaiva kukanganisa. Toraiwo munun'una wenyu mudzokere izvozvi kumunhu uyo. Uye Mwari Wamasimba Ose ngaakunzwirei ngoni pamberi pomunhu uyo kuitira kuti asunungure mumwe munun'una wenyu naBhenjamini uye vagodzokazve nemi. Kana ndirini, kana ndafirwa navana vangu, ndafirwa hangu.” Saka varume vakatora zvipo nemari yakapetwa kaviri, naBhenjaminiwo. Vakakurumidza kuburuka kuIjipiti vakandozviratidza kuna Josefa. Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kuvatariri veimba yake, “Torai varume ava muende navo kumba kwangu, muuraye chipfuwo mugogadzira zvokudya; ava vanofanira kudya neni masikati ano.” Varume vakaita sezvavakanga vaudzwa naJosefa vakabva vatora varume vaya vakaenda navo kumba kwaJosefa. Zvino varume vaya vakatya pavakatorwa vakaendwa navo kumba kwake. Vakafunga vakati, “Tauyiswa muno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mumasaga edu panguva yokutanga. Anoda kutirwisa, agotikunda, agotisunga senhapwa uye agotora mbongoro dzedu.” Saka vakaenda kumutariri waJosefa vakandotaura naye pamukova wokupinda mumba make. Vakati kwaari, “Tapota ishe, takauya kuno panguva yokutanga kuti tizotenga zvokudya. Asi patakamira pane imwe nzvimbo usiku, takazarura masaga edu uye mumwe nomumwe wedu akawana mari yake iri pamuromo wesaga, iyo mari yacho yose zvayo. Saka tadzoka nayo. Tauyawo neimwe mari yokuti tizotenga zvokudya. Hatizivi akaisa mari yedu mumasaga edu.” Iye akati, “Zvakanakai. Musatya henyu Mwari wenyu, iye Mwari wababa venyu, ndiye akakupai pfuma mumasaga enyu, ini ndakagamuchira mari yenyu.” Ipapo akabudisa Simeoni akamuuyisa kwavari. Mutariri uya akauyisa varume vaya mumba maJosefa, akavapa mvura kuti vashambe tsoka dzavo uye akapa mbongoro dzavo zvokudya. Vakagadzira zvipo zvokupa Josefa pakusvika kwake masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachandodya ikoko. Josefa akati auya kumba, ivo vakamupa zvipo zvavakanga vapinda nazvo mumba, uye vakakotamira pasi kwaari. Iye akavabvunza mufaro, uye ipapo akati, “Vakadii baba venyu mutana vamakandiudza nezvavo? Vachiri vapenyu here?” Vakapindura vakati, “Muranda wenyu, ivo baba vedu vachiri vapenyu uye vanofara.” Uye vakakotama pasi kuti vamuremekedze. Paakatarisa-tarisa akaona munun'una wake Bhenjamini, mwanakomana wamai vake chaiye, akabvunza akati, “Uyu ndiye munun'una wenyu gotwe, wamakandiudza nezvake here?” Uye akati, “Mwari akuitire nyasha, mwanakomana wangu.” Adumbirwa pakuona kwake munun'una wake, Josefa akakurumidza kubuda uye akatsvaka nzvimbo paangachema ari. Akapinda muimba yake yomukati akandochema ari imomo. Shure kwokushamba uso hwake, akabuda uye akazvidzora, akati “Pakurai zvokudya.” Vakamupakurira ari oga, madzikoma vari voga, uye vaIjipita vaidya naye vari voga, nokuti vaIjipita vakanga vasingagoni kudya pamwe chete navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuvaIjipita. Varume vakanga vakagariswa pamberi pake zvaienderana namazera avo, kubva kudangwe kusvikira kugotwe; uye vakatarisana zvikavakatyamadza. Pavakagoverwa migove kubva patafura yaJosefa, mugove waBhenjamini wakanga wakawanda kashanu kupinda ani zvake pakati pavo. Saka vakadya nokunwa naye vakasununguka. Zvino Josefa akarayira mutariri weimba yake achiti, “Zadza masaga avarume ava nezvokudya zvakawanda zvavanokwanisa kutakura, uye uise mari yomumwe nomumwe mumuromo wesaga. Ipapo ugoisa mukombe wangu, iwo wesirivha, mumuromo wesaga remuduku kuna vose, pamwe chete nemari yezviyo zvake.” Uye akaita sezvaakanga audzwa naJosefa. Kwakati kuchiedza, varume vaya vakaendeswa panzira yavo pamwe chete nembongoro dzavo. Vakanga vasati vava kure neguta Josefa paakati kumutariri wake, “Tevera varume vaya izvozvi, uye paunovabata, uti kwavari, ‘Seiko matsiva chakanaka nechakaipa? Ko, uyu hauzi mukombe unonwira tenzi wangu uye wavanoshandisa pakuvuka here? Chinhu chamaita ichi chakaipa.’ ” Paakavabata, akadzokorora mashoko aya kwavari. Asi ivo vakati kwaari, “Seiko ishe wangu achitaura zvinhu zvakadai? Ngazvive kure navaranda venyu kuti vaite chinhu chakadaro! Takadzoka kwamuri kubva kunyika yeKenani kunyange nemari yatakawana mumiromo yamasaga edu. Saka taizobireiko sirivha kana goridhe mumba matenzi wenyu? Kana mumwe upi zvake wavaranda venyu akawanikwa anayo, ngaafe; uye isu tose tichava nhapwa dzashe wangu.” Iye akati, “Zvakanaka chaizvo, ngazvive sezvamataura. Ani naani anowanikwa anayo achava nhapwa yangu; vamwe mose hamungapiwi mhosva.” Mumwe nomumwe wavo akakurumidza kuburutsa saga rake pasi uye akarizarura. Ipapo mutariri akatanga kutsvaka, akatanga kumukuru akapedzisira kumuduku wavose. Uye mukombe wakawanikwa musaga raBhenjamini. Ipapo, vakabvarura nguo dzavo. Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo uye vakadzokera kuguta. Josefa akanga achiri mumba pakapinda Judha navanun'una vake, uye vakazviwisira pasi pamberi pake. Josefa akati kwavari, “Chiiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kuziva zvinhu nokuvuka here?” Judha akapindura akati, “Chiiko chatingataura kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza seiko? Mwari afukura mhosva yavaranda venyu. Zvino tava nhapwa dzashe wedu, isu pachedu naiye awanikwa ano mukombe.” Asi Josefa akati, “Ngazvive kure neni kuti ndiite chinhu chakadai! Munhu awanikwa ano mukombe wangu chete ndiye achava nhapwa yangu. Imi mose, dzokerai kuna baba venyu norugare.” Ipapo Judha akaenda kwaari akati, “Ndapota, ishe wangu, regai muranda wenyu ataure shoko rimwe kuna she wangu. Regai kutsamwira muranda wenyu, kunyange hazvo makaenzana naFaro pachake. Ishe wangu akabvunza varanda vake akati, ‘Muna baba kana munun'una here?’ Uye isu takapindura tikati, ‘Tina baba vava vatana, uye pano mukomana muduku akaberekwa pautana hwavo. Mukoma wake akafa, uye ndiye oga asara mwanakomana wamai vake, uye baba vake vanomuda.’ “Ipapo imi makati kuvaranda venyu, ‘Uyai naye kuno kwandiri kuti ndimuone, ini pachangu.’ Uye isu takati kuna she wangu, ‘Mukomana haangasiye baba vake; kana akamusiya, baba vake vangafa.’ Asi imi makati kuvaranda venyu, ‘Kunze kwokunge mauya nomunun'una wenyu gotwe, hamungazooni chiso changu.’ Patakadzokera kumuranda wenyu, baba vangu, takavaudza zvakanga zvarehwa naishe wangu. “Ipapo baba vedu vakati, ‘Dzokerai mundotengazve zvimwe zvokudya zvishoma.’ Asi isu takati, ‘Hatigoni kuenda. Tichaenda bedzi kana munun'una wedu anesu. Hatigoni kuona chiso chomurume uyo kunze kwokuti munun'una wedu gotwe anesu.’ “Muranda wenyu baba vangu vakati kwatiri, ‘Imi munoziva kuti mukadzi wangu akandiberekera vanakomana vaviri. Mumwe wavo akabva kwandiri, uye ndikati, “Zvirokwazvo akabvamburwabvamburwa.” Uye handina kuzomuona kubvira ipapo. Kana mukanditorera iyeyuwo uye kana zvakaipa zvikamuwira, muchaendesa musoro wangu wachena kuguva mukusuwa.’ “Saka zvino, kana mukomana akasava nesu pandinodzokera kumuranda wenyu, baba vangu, uye kana baba vangu, avo vakasunganidza upenyu hwavo kuupenyu hwomukomana, vakaona kuti mukomana haapo, vachafa. Muranda wenyu achaendesa musoro wachena wababa vedu kuguva mukusuwa. Muranda wenyu akapa rubatso rwokuchengetedzeka kwomukomana kuna baba vangu. Ndakati, ‘Kana ndikasadzoka naye kwamuri, ndini ndichava nemhosva pamberi penyu, baba vangu, upenyu hwangu hwose!’ “Zvino, ndapota, regai henyu muranda wenyu asare kuno senhapwa yashe wangu pachinzvimbo chomukomana, uye murege mukomana adzokere namadzikoma ake. Ndingadzokera sei kuna baba vangu kana mukomana ndisinaye? Kwete! Musandirega ndichiona njodzi ichiuya pamusoro pababa vangu.” Ipapo Josefa akanga asisagoni kuzvidzora pamberi pavashandiri vake vose, uye akadanidzira akati, “Munhu wose ngaabve pamberi pangu!” Saka pakanga pasisina mumwe munhu pana Josefa paakazvizivisa kuhama dzake. Uye akachema zvikuru kwazvo zvokuti vaIjipita vakamunzwa, uye veimba yaFaro vakanzwa nezvazvo. Josefa akati kuhama dzake, “Ndini Josefa! Ko, baba vangu vachiri vapenyu here?” Asi hama dzake hadzina kugona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake. Ipapo Josefa akati kuhama dzake, “Swederai henyu kwandiri.” Vakati vaita izvozvo, akati, “Ndini Josefa hama yenyu, wamakatengesa kuIjipiti! Uye zvino, musatambudzika uye musazvitsamwira nokuda kwokuti makanditengesa kuno, nokuti Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndigoponesa upenyu hwavanhu. Nokuti pava namakore maviri zvino nzara yava munyika, uye makore mashanu ari kutevera kuchange kusingarimwi kana kukohwewa. Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndikuchengeterei vanosara panyika uye kuti ndiponese upenyu hwenyu nokusunungurwa kukuru. “Saka zvino, hamuzimi makandituma kuno, asi Mwari. Iye akandiita baba kuna Faro, ishe weimba yake yose nomutongi weIjipiti yose. Zvino kurumidzai mudzokere kuna baba vangu mundoti kwavari, ‘Zvanzi nomwanakomana wenyu Josefa: Mwari akandiita ishe weIjipiti yose. Burukai muuye kwandiri; musanonoka. Muchandogara munyika yeGosheni uye muve pedyo neni, imi, vana venyu navazukuru venyu, zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu nezvose zvamunazvo. Ndichakuriritirai ikoko, nokuti mamwe makore mashanu enzara ari kuuya. Kana zvikasadaro imi neveimba yenyu navose vamunavo mungazova varombo.’ “Muri kuzvionera pachenyu, uye kana munun'una wangu uyu Bhenjamini, kuti ndini chaiye ari kutaura nemi. Muudze baba vangu pamusoro pokukudzwa kwangu muIjipiti uye napamusoro pezvinhu zvose zvamaona. Uye muuye nababa vangu kuno nokukurumidza.” Ipapo akawira pamutsipa womunun'una wake Bhenjamini uye akachema, uye Bhenjamini akamumbundikirawo achichema. Uye akatsvoda madzikoma ake ose uye akachema pamusoro pavo. Shure kwaizvozvo, madzikoma ake akataura naye. Shoko rakati rasvika kumuzinda waFaro kuti madzikoma aJosefa akanga auya, Faro namachinda ake ose vakafara. Faro akati kuna Josefa, “Taurira hama dzako uti, ‘Itai izvi: Takudzai zvipfuwo zvenyu mudzokere kunyika yeKenani, mundouya nababa venyu uye nemhuri kuno kwandiri. Ndichakupai nyika yakaisvonaka yeIjipiti uye mugofara nezvakakora zvenyika.’ “Iwe unorayirwawo kuti uvaudze kuti, ‘Itai izvi: Torerai vana navakadzi venyu dzimwe ngoro dzinobva muIjipiti uye mundotora baba venyu mugodzoka. Musafunganya henyu nezvenhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvose zveIjipiti zvichava zvenyu.’ ” Saka vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvakanga zvarayirwa naFaro, uye akavapawo mbuva yorwendo rwavo. Akapa mumwe nomumwe wavo nguo itsva, asi akapa Bhenjamini mazana matatu amashekeria esirivha nenguo shanu dzokupfeka. Uye izvi ndizvo zvaakatumira kuna baba vake: Mbongoro hono gumi dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, nembongoro hadzi gumi dzakanga dzakatakura zviyo nechingwa nezvimwe zvembuva yorwendo. Ipapo akaendesa hama dzake uye pavakanga voenda akati kwavari, “Musakakavadzana munzira!” Saka vakabuda muIjipiti uye vakaenda vakandosvika kuna baba vavo Jakobho kunyika yeKenani. Uye vakati kwavari, “Josefa mupenyu! Uye ndiye mutongi weIjipiti yose.” Jakobho akati rukutu; haana kuvatenda. Asi pavakavaudza zvose zvakanga zvarehwa naJosefa kwavari, uye paakaona ngoro dzakanga dzatumirwa kwavari naJosefa kuti dzizovatakura, mweya wababa wavo Jakobho wakamutsiridzwa. Uye Israeri akati, “Ndagutsikana! Mwana wangu Josefa achiri mupenyu. Ndichaenda kundomuona ndisati ndafa.” Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka. Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano.” Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko. Ndichaburuka kuIjipiti pamwe chete newe, uye zvirokwazvo ndichakudzosazve. Uye ruoko rwaJosefa chairwo ndirwo ruchazarira meso ako.” Ipapo Jakobho akabva paBheerishebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatora baba vavo Jakobho navana vavo navakadzi vavo vakavakwidza mungoro dzakanga dzatumirwa naFaro kuti dzivatakure. Vakaendawo nezvipfuwo zvavo nepfuma yose yavakanga vawana muKenani, uye Jakobho navana vake vose vakaenda kuIjipiti. Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri (Jakobho nezvizvarwa zvake) vakaenda kuIjipiti: Rubheni dangwe raJakobho. Vanakomana vaRubheni vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKami. Vanakomana vaSimeoni vaiva: Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani. Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari. Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani). Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri. Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Pua, Jashubhi naShimironi. Vanakomana vaZebhuruni vaiva: Seredhi, Eroni naJareri. Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete. Vanakomana vaGadhi vaiva: Zefoni, Hagi, Shuni, Ezibhoni, Eri, Arodhi naAreri. Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo akanga ari Sera. Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri. Ava ndivo vana vakaberekerwa Jakobho naZiripa, uyo akanga apiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake, gumi navatanhatu pamwe chete. Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakobho vaiva: Josefa naBhenjamini. MuIjipiti, Manase naEfuremu vakaberekerwa Josefa naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista weOni. Vanakomana vaBhenjamini vaiva Bhera, Bhekeri, Gera, Naamani, Ehi, Roshi, Mupimi, Hupimi naAridhi. Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaRakeri vakanga vaberekerwa Jakobho, gumi navana pamwe chete. Mwanakomana waDhani aiva: Hushimi. Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi. Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake, vanomwe pamwe chete. Vose vakenda naJakobho kuIjipiti, vaya vakanga vari zvizvarwa zvake chaizvo, tisingaverengi vakadzi vavanakomana vake, vaiva vanhu makumi matanhatu navatanhatu pakuwanda. Pamwe chete navanakomana vaviri vakaberekerwa Josefa muIjipiti, vose vemhuri yaJakobho, avo vakaenda kuIjipiti, vakanga vari makumi manomwe pamwe chete. Zvino Jakobho akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti aratidzwe nzira yokuenda nayo kuGosheni. Vakati vasvika mudunhu reGosheni, Josefa akaita kuti ngoro yake igadzirirwe uye akaenda kuGosheni kundosangana nababa vake Israeri. Josefa paakangosvika pamberi pavo, akambundikira baba vake uye akachema kwenguva refu. Israeri akati kuna Josefa, “Zvino ndagadzirira kufa, sezvo ndazvionera pachangu kuti uchiri mupenyu.” Ipapo Josefa akati kuhama dzake nokune veimba yababa vake, “Ini ndichaenda kuti ndinotaura naFaro uye ndichandoti kwaari, ‘Madzikoma angu neveimba yababa vangu, vakanga vachigara kunyika yeKenani, vauya kwandiri. Vanhu ava vafudzi; vanochengeta zvipfuwo, uye vauya namakwai avo nemombe dzavo nezvose zvavanazvo.’ Pamunodanwa naFaro uye akakubvunzai achiti, ‘Basa renyu ndereiko?’ imi munofanira kupindura muchiti, ‘Varanda venyu vaiva vachengeti vezvipfuwo kubvira pauduku hwavo, sezvakanga zvichiitawo madzibaba edu.’ Ipapo muchatenderwa kugara munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza kuvaIjipita.” Josefa akaenda akandoudza Faro akati, “Baba vangu namadzikoma angu, pamwe chete nezvipfuwo zvavo uye nemombe dzavo nezvavo zvose, vauya vachibva kunyika yeKenani uye vava muGosheni zvino.” Akasarudza vashanu pamadzikoma ake akavaendesa pamberi paFaro. Faro akabvunza madzikoma aJosefa akati, “Basa renyu ndereiko?” Ivo vakapindura Faro vakati, “Varanda venyu vafudzi, sezvakanga zvakangoita madzibaba edu.” Vakatizve kwaari, “Tauya kuzogara kuno kwechinguva, nokuti nzara yakanyanya muKenani uye zvipfuwo zvavaranda venyu hazvisisina mafuro. Saka zvino, tapota regai varanda venyu vagare muGosheni.” Faro akati kuna Josefa, “Baba vako namadzikoma ako vauya kwauri, uye nyika yeIjipiti iri pamberi pako; garisa baba vako namadzikoma ako panzvimbo yakaisvonaka yenyika ino. Ngavagare muGosheni. Uye kana uchiziva kuti pakati pavo pane vamwe vane zvavanokwanisa kuita, uvaite kuti vave vatariri vezvipfuwo zvangu.” Ipapo akapinza baba vake Jakobho akavaendesa pamberi paFaro. Shure kwokuropafadzwa kwaFaro naJakobho, Faro akavabvunza akati, “Mava namakore manganiko?” Uye Jakobho akati kuna Faro, “Makore okufamba kwangu panyika izana namakumi matatu. Makore angu akanga ari mashoma uye akaoma, uye haaenzani namakore okufamba kwamadzibaba angu.” Ipapo Jakobho akaropafadza Faro akabva pamberi pake. Saka Josefa akagarisa baba vake namadzikoma ake munyika yeIjipiti uye akavapa nzvimbo mudunhu rakaisvonaka renyika, dunhu reRamasesi, sokurayira kwaFaro. Josefa akapa baba vake namadzikoma ake navose veimba yababa vake zvokudya, zvakaenzana nouwandu hwavana vavo. Kunyange zvakadaro, kwakanga kusina zvokudya munyika yose nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzakaziya nokuda kwenzara. Josefa akaunganidza mari yose yaiwanikwa muIjipiti neKenani yomuripo wezviyo zvavaitenga, uye akaenda nayo kumuzinda waFaro. Mari yavanhu veIjipiti nevokuKenani yakati yapera, vanhu veIjipiti yose vakauya kuna Josefa vakati, “Tipei zvokudya. Tofireiko pamberi penyu? Mari yedu yapera.” Ipapo Josefa akati, “Uyai nezvipfuwo zvenyu. Ndichakutengeserai zvokudya ndichitsinhanisa nezvipfuwo zvenyu, sezvo mari yenyu yapera.” Saka vakauya nezvipfuwo zvavo kuna Josefa, uye iye akavapa zvokudya achitsinhanisa namabhiza avo, makwai nembudzi dzavo, mombe nembongoro dzavo. Uye akavabudisa mugore iro nezvokudya zvokutsinhana nezvipfuwo zvavo zvose. Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari mugore rakatevera vakati, “Hatingavanziri ishe wedu chokwadi chokuti sezvo mari yedu yakapera uye zvipfuwo zvedu zvava zvenyu, hapasisina chasara chatingapa ishe wedu kunze kwemiviri yedu nenyika yedu. Tichafireiko pamberi penyu, isu nenyika yeduwo? Titengei isu nenyika yedu titsinhane nezvokudya, uye isu nenyika yedu tichava varanda vaFaro. Tipeiwo mbeu kuitira kuti tirarame uye tirege kufa, uye kuti nyika irege kuparara.” Saka Josefa akatengera Faro nyika yose iri muIjipiti. VaIjipita vakatengesa, mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo. Nyika yakava yaFaro, uye Josefa akaita kuti vanhu vashande kubva kuna mamwe magumo eIjipiti kusvikira kuna mamwe. Kunyange zvakadaro hazvo, haana kutenga nyika yavaprista, nokuti ivo vaigamuchira migove nguva dzose kubva kuna Faro uye vakanga vane zvokudya zvakakwana kubva pamugove wavaipiwa naFaro. Ndokusaka vasina kutengesa nyika yavo. Josefa akati kuvanhu, “Zvino zvandakutengai nhasi imi nenyika yenyu kuti muve vaFaro, heyi mbeu yokuti mudyare muminda. Asi pamunokohwa, mupe cheshanu chazvo kuna Faro. Zvimwe zvikamu zvina kubva muzvishanu mungazvichengeta henyu sembeu dzomuminda nezvokudya zvenyu navari mudzimba dzenyu navana venyu.” Ivo vakati, “Makaponesa upenyu hwedu. Ngatiwanei hedu nyasha pamberi penyu ishe wedu; tichava varanda kuna Faro.” Saka Josefa akasimbisa izvi somurayiro pamusoro penyika muIjipiti, murayiro uyu uchiri kushanda nanhasi, kuti cheshanu chezvibereko ndechaFaro. Nyika yavaprista bedzi ndiyo yakanga isiri yaFaro. Zvino vaIsraeri vakagara muIjipiti mudunhu reGosheni. Vakawana pfuma ikoko, vakabereka vana uye vakawanda zvikuru. Jakobho akagara muIjipiti kwamakore gumi namanomwe, uye akararama kwamakore zana namakumi mana namanomwe. Nguva yokufa kwaIsraeri yakati yaswedera, akadana mwanakomana wake Josefa uye akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, isa ruoko rwako pasi pechidya changu uye ugovimbisa kuti uchandinzwira ngoni uye uchava wakatendeka. Usandiviga muIjipiti, asi pandinozorora namadzibaba angu, mundibudise muIjipiti uye mundivige pavakavigwa.” Iye akati, “Ndichaita sezvamareva.” Ivo vakati, “Ndipikire.” Ipapo Josefa akapika kwaari, uye Israeri akanamata akasendamira pamusoro wetsvimbo yake. Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa kuti, “Baba vako vanorwara.” Saka akatora vanakomana vake vaviri Manase naEfuremu pamwe chete naye. Jakobho akati audzwa kuti, “Mwanakomana wako Josefa auya,” Israeri akazvisimbaradza uye akagara panhoo. Jakobho akati kuna Josefa, “Mwari Wamasimba Ose akazviratidza kwandiri paRuzi munyika yeKenani, uye akandiropafadza ipapo, uye akati kwandiri, ‘Ndichakuita kuti ubereke vana uye ndichaita kuti muwande. Ndichakuita vanhu vazhinji, uye ndichakupa nyika ino kuti ive yako nokuzvizvarwa zvako nokusingaperi.’ “Ipapo zvino, vanakomana vako vaviri vawakaberekerwa muIjipiti ndisati ndasvika kwauri kuno vachanzi ndevangu; Efuremu naManase vachava vangu, saRubheni naSimeoni vari vangu. Vana vose vawakaberekerwa mumashure mavo vachava vako; munyika yavo yenhaka vachazivikanwa pasi pamazita amadzikoma avo. Pandakanga ndichibva kuPadhani, ndakasuwa nokuti Rakeri akafira munyika yeKenani patakanga tichiri munzira, nhambwe pfupi kubva kuEfurati. Saka ndakamuviga ipapo parutivi rwomugwagwa unoenda kuEfurati” (ndiro Bheterehema). Israeri akati aona vanakomana vaJosefa, akabvunza akati, “Ndivanaani ava?” Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vandakapiwa pano naMwari.” Ipapo Israeri akati, “Uya navo pano ndivaropafadze.” Zvino meso aIsraeri akanga aneta nokuda kwokukwegura, uye akanga asisagoni kuona zvakanaka. Saka Josefa akauya navanakomana vake pedyo naye, baba vake vakavatsvoda uye vakavambundikira. Israeri akati kuna Josefa, “Handina kumbofunga kuti ndichaona chiso chakozve, uye zvino Mwari anditendera kuti ndione vana vakowo.” Ipapo Josefa akavabvisa pamabvi aIsraeri uye akakotama pasi nechiso chake. Uye Josefa akavatora vose vari vaviri, Efuremu kurudyi kwake akatarira kuruoko rworuboshwe rwaIsraeri, uye Manase kuruboshwe, akatarira kuruoko rworudyi rwaIsraeri, uye akavaswededza pedyo navo. Asi Israeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi akaruisa pamusoro waEfuremu, kunyange zvake akanga ari muduku, uye akachinjika maoko ake, akaisa ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, kunyange hazvo Manase akanga ari iye dangwe. Ipapo akaropafadza Josefa akati, “Mwari uyo madzibaba angu, ivo Abhurahama naIsaka, vakafamba pamberi pake, iye Mwari akanga ari mufudzi wangu upenyu hwangu hwose kusvikira nhasi, Mutumwa akandisunungura kubva pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vakomana ava. Ngavadanwe nezita rangu uye namazita amadzibaba angu Abhurahama naIsaka, uye ngavawande zvikuru pamusoro penyika.” Josefa paakaona baba vake vachiisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu haana kufadzwa nazvo; saka akabata ruoko rwababa vake kuti arubvise pamusoro waEfuremu aruise pamusoro waManase. Josefa akati kwavari, “Kwete, baba vangu, uyu ndiye dangwe; isai ruoko rwenyu rworudyi pamusoro wake.” Asi baba vakaramba vakati, “Ndinozviziva, mwana wangu, ndinozviziva. Naiyewo achava rudzi, uye naiyewo achava mukuru. Kunyange zvakadaro hazvo muduku achava mukuru kupfuura iye, uye zvizvarwa zvake zvichava boka rendudzi zhinji.” Akavaropafadza pazuva iro akati, “Muzita rako, Israeri achataura ropafadzo iyi achiti: ‘Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.’ ” Saka akaisa Efuremu pamberi paManase. Ipapo Israeri akati kuna Josefa, “Ndava pedyo nokufa, asi Mwari achava newe uye achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu. Uye kwauri, sezvo uri munhu ari pamusoro pamadzikoma ako, ndinokupa mugove wenyika yandakatorera vaAmori nomunondo wangu uye nouta hwangu.” Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya. “Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho; teererai kuna baba venyu Israeri. “Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, unokunda mukukudzwa, unokunda musimba. Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve, nokuti wakakwira panhoo yababa vako, wakakwira panhoo yangu uye ukaisvibisa. “Simeoni naRevhi mukoma nomunun'una, minondo yavo zvombo zvokurwa. Ngandirege kupinda parangano yavo, ngandirege kuva paungano yavo, nokuti vakauraya vanhu mukutsamwa kwavo uye vakagura marunda enzombe sezvavaida. Kutsamwa kwavo ngakutukwe, kunotyisa zvakadai, uye hasha dzavo, dzaiva noutsinye kudai! Ndichavaparadzira muna Jakobho uye ndigovatsaura muna Israeri. “Judha, hama dzako dzichakurumbidza; ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako; vanakomana vababa vako vachakotama kwauri. Uri mwana weshumba, iwe Judha; unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu. Seshumba anonyangira uye anovata pasi, seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa? Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, uye mudonzvo womutongi pakati pamakumbo ake, kusvikira asvika kumuridzi wawo, uye kuteerera kwendudzi ndokwake. Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa, nomwana wayo padavi rakaisvonaka; achasuka nguo dzake muwaini, zvokufuka zvake muropa ramazambiringa. Meso ake achasviba kupfuura waini, meno ake achachena kupfuura mukaka. “Zebhuruni achagara kumahombekombe egungwa uye achava zororo rezvikepe; muganhu wake uchasvika paSidhoni. “Isakari imbongoro ine simba, ivete pasi pakati pamatanga amakwai. Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka sei uye kuti nyika yake inofadza sei, acharerekera pfudzi rake kumutoro uye akava mubatiri wechibharo. “Dhani acharuramisira vanhu vake somumwe wamarudzi aIsraeri. Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa, semhakure iri munzira, inoruma chitsitsinho chebhiza kuitira kuti mutasvi waro awire pasi neshure. “Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha. “Gadhi acharohwa neboka ravapambi, asi achavarova pazvitsitsinho zvavo. “Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora; achauya nezvinonaka zvakafanira madzimambo. “Nafutari isheche yemhembwe yakasunungurwa, inobereka tsvana dzakaisvonaka. “Josefa muzambiringa unobereka mazambiringa, unobereka uri pedyo netsime, matavi awo anokwira pamadziro. Neshungu vapfuri vanomurwisa; vanomupfura noruvengo. Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba, maoko ake akasimba, akagwinya, nokuda kworuoko rwaIye Anesimba waJakobho, nokuda kwoMufudzi, iye Dombo raIsraeri, nokuda kwaMwari wababa vako anokubatsira, nokuda kwoWamasimba Ose anokuropafadza namaropafadzo okumatenga kumusoro, maropafadzo okwakadzika kuri pasi, maropafadzo amazamu neechizvaro. Maropafadzo ababa vako makuru kupfuura maropafadzo amakomo ekare, kupfuura zvakawanda zvezvikomo zvamakore ekare. Zvose izvi ngazvigare pamusoro waJosefa, pamusoro womuchinda ari pakati pehama dzake. “Bhenjamini ibere rinoparadza, mangwanani anodya nyama, madekwana anogovera zvaapamba.” Ava vose ndiwo marudzi gumi namaviri aIsraeri, uye izvi ndizvo zvakataurwa nababa vavo kwavari pavakavaropafadza, vachipa mumwe nomumwe kuropafadzwa kwakamufanira. Ipapo akavarayira akati, “Ini ndava kuzosanganiswa navanhu vokwangu. Mundivige namadzibaba angu mubako mumunda waEfuroni muHiti, bako riri mumunda weMakapera, pedyo neMamuri muKenani, rakatengwa kubva kuna Efuroni naAbhurahama senzvimbo yokuviga pamwe chete nomunda. Ndipo pakavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara, ndipozve pakavigwa Isaka nomukadzi wake Rabheka, uye Rea akavigwa ipapo. Munda nebako riri mauri zvakatengwa kubva kuvaHiti.” Jakobho akati apedza kurayira vanakomana vake, akadzora tsoka dzake mumubhedha, akabudisa mweya wake uye akasanganiswa navanhu vokwake. Josefa akazviwisira pamusoro pababa vake uye akachema pamusoro pavo uye akavatsvoda. Ipapo Josefa akarayira varapi vaimushandira kuti vasasike baba vake Israeri. Saka varapi vakamusasika, vakapedza mazuva makumi mana azere, nokuti ndiyo yakanga iri nguva yaidikanwa yokusasika. Uye vaIjipiti vakamuchema kwamazuva makumi manomwe. Mazuva okuchema akati apera, Josefa akati kune veimba yaFaro, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, nditaurireiwo kuna Faro. Mumuudze kuti, ‘Baba vangu vakaita kuti ndipike mhiko uye vakati, “Ini ndava kufa; mundivige muguva randakazvicherera munyika yeKenani.” Zvino regai hangu ndikwire ndinoviga baba vangu; ipapo ndigozodzoka hangu.’ ” Faro akati, “Kwira hako undoviga baba vako, sezvo vakaita kuti upikire kuita izvozvo.” Saka Josefa akakwira kundoviga baba vake. Varanda vose vaFaro vakamuperekedza, vanokudzwa vomumba make navose vanokudzwa vomuIjipiti, tisingaverengi vose vomumhuri yaJosefa namadzikoma ake uye navose veimba yababa vake. Vana vavo chete namakwai avo nemombe dzavo, ndivo vakasiyiwa muGosheni. Ngoro navatasvi vamabhiza vakaendawo naye. Rakanga riri boka guru kwazvo. Vakati vasvika paburiro raAtadhi, pedyo neJorodhani, vakachema zvikuru uye neshungu; uye ipapo Josefa akatara mazuva manomwe okuchema baba vake. VaKenani vaigara ikoko vakati vachiona kuchema ikoko pabhuriro raAtadhi, vakati, “VaIjipita vari pakuchema kukuru.” Ndokusaka nzvimbo iyo iri pedyo neJorodhani yakatumidzwa zita rokuti Abheri Miziraimu. Saka vanakomana vaJakobho vakaita sezvaakavarayira: Vakamutakura vakaenda naye kunyika yeKenani uye vakamuviga mubako mumunda weMakapera, pedyo neMamure, rakatengwa naAbhurahama senzvimbo yokuviga kubva kuna Efuroni muHiti, pamwe chete nomunda wacho. Shure kwokuvigwa kwababa vake, Josefa akadzokera kuIjipiti, pamwe chete namadzikoma ake navamwe vose vakanga vaenda naye kundoviga baba vake. Madzikoma aJosefa akati aona kuti baba vavo vakanga vafa, vakati, “Zvimwe Josefa angadaro achiri kutivenga uye akatitsiva pane zvakaipa zvose zvatakaita kwaari?” Saka vakatuma shoko kwaari vakati, “Baba vako vakasiya varayira vasati vafa vachiti: ‘Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna Josefa: Ndinokumbira kuti ukanganwire madzikoma ako zvivi zvavo nezvitadzo zvavakaita pavakakuitira zvakaipa kwazvo. Zvino ndapota kanganwira hako zvivi zvavaranda vaMwari wababa vako.’ ” Pakasvika shoko ravo kwaari, Josefa akachema. Ipapo madzikoma ake akauya akazviwisira pasi pamberi pake. Vakati, “Tiri varanda venyu.” Asi Josefa akati kwavari, “Musatya. Ko, ini ndiri pachinzvimbo chaMwari here? Imi makafunga kundiitira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuita zvakanaka kuti apedzise zviri kuitwa iye zvino, iko kuponeswa kwemweya mizhinji. Naizvozvo zvino, musatya. Ndichakuriritirai imi navana venyu.” Akavasimbaradza uye akataura nounyoro kwavari. Josefa akagara muIjipiti pamwe chete nemhuri yose yababa vake. Akararama kwamakore zana negumi, uye akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu. Uyewo vana vaMakiri mwanakomana waManase vakaberekerwa pamabvi aJosefa. Ipapo Josefa akati kumadzikoma ake, “Ini ndava kuzofa. Asi zvirokwazvo Mwari achakubatsirai nokukubudisai munyika muno achikuendesai kunyika yakavimbiswa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho.” Uye Josefa akaita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko uye akati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva munzvimbo ino.” Saka Josefa akafa ava namakore zana negumi. Uye shure kwokumusasika, akaiswa mubhokisi muIjipiti. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake: Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha; Isakari, Zebhuruni naBhenjamini; Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri. Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti. Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa, asi vaIsraeri vakaberekana vakawanda zvikuru uye vakava vazhinji kwazvo, zvokuti nyika yakanga yazara navo. Ipapo mambo mutsva, akanga asingazivi nezvaJosefa, akatanga kutonga muIjipiti. Akati kuvanhu vake, “Tarisai, vaIsareri vanyanya kuwanda kwazvo. Uyai tivafungire zano nokuti vangazonyanya kuwanda uye kana hondo ikamuka, vangazobatana navavengi vedu, vakarwa nesu uye vakazobva munyika.” Saka vakagadza vatariri vebasa pamusoro pavo kuti vavadzvinyirire nebasa rechibharo, uye vakavaka Pitomu neRamesesi kuti ave maguta amatura aFaro. Asi pavakanyanya kudzvinyirirwa ndipo pavakanyanya kuwanda uye nokupararira; saka vaIjipita vakasvika pakutya vaIsraeri uye vakavashandisa zvino utsinye. Vakashungurudza upenyu hwavo nebasa rakaoma rezvidhina nedhaka uye nemhando dzose dzebasa romuminda; vaIjipita vakavashandisa noutsinye mubasa rakaoma. Mambo weIjipiti akati kuna vananyamukuta vechiHebheru, vainzi Shifura naPua, “Pamunobatsira vakadzi vechiHebheru pakusununguka uye mukavacherechedza vachisununguka, kana ari mukomana, mumuuraye; kana ari musikana murege ari mupenyu.” Asi, vananyamukuta vakanga vachitya Mwari, uye havana kuita zvavakanga varayirwa namambo weIjipiti kuti vaite; vakarega vanakomana vari vapenyu. Ipapo mambo weIjipiti akadana vananyamukuta akavabvunza achiti, “Seiko maita izvi? Seiko marega vana vechikomana vari vapenyu?” Vananyamukuta vakapindura Faro vachiti, “Vakadzi vechiHebheru havana kufanana navakadzi veIjipiti; vane simba uye vanosununguka vananyamukuta vasati vasvika.” Saka Mwari akaitira vananyamukuta zvakanaka uye vanhu vakawedzerwa uye vakava vazhinji kwazvo. Uye nokuda kwokuti vananyamukuta vaitya Mwari, iye akavapa mhuri dzavo pachavo. Ipapo Faro akarayira vanhu vose akati, “Vanakomana vose vanoberekwa munofanira kuvakanda murwizi Nairi, asi murege vanasikana vose vari vapenyu.” Zvino mumwe murume weimba yaRevhi akawana mukadzi, uye mukadzi uyu akava nemimba akabereka mwanakomana. Paakaona kuti akanga ari mwana akanaka, akamuvanza kwemwedzi mitatu. Asi akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe akainama netara nenamo. Ipapo akaisa mwana imomo ndokuiisa pakati petsanga dzaiva mumahombekombe aNairi. Hanzvadzi yake yakamira iri chinhambwe kuti ione kuti chii chaizoitika kwaari. Ipapo mwanasikana waFaro akaburuka akaenda kurwizi Nairi kuti andoshamba, uye varandakadzi vake vakanga vachifamba vachitevedza mahombekombe. Akaona tswanda pakati petsanga ndokubva atuma murandakadzi wake kuti andoitora. Akaizarura akaona mwana. Akanga achichema, uye akamunzwira tsitsi. Akati, “Uyu ndomumwe wavana vavaHebheru.” Ipapo hanzvadzi yake yakakumbira mwanasikana waFaro ikati, “Ndingaenda here ndikandokutorerai mumwe wavakadzi vechiHebheru kuti azokurererai mwana?” Uye mwanasikana waFaro akapindura akati, “Hongu.” Uye musikana akaenda akandotora mai vomwana. Mwanasikana waFaro akati kwavari, “Tora mwana uyu unondirererawo, uye ini ndichakupa muripo wako.” Saka mukadzi akatora mwana akamurera. Mwana akati akura, akamutora akaenda naye kumwanasikana waFaro uye akava mwanakomana wake. Akamutumidza zita rokuti Mozisi, achiti, “Ndakamutora mumvura.” Rimwe zuva Mozisi akura, akaenda kwakanga kuna vanhu vokwake uye akavatarira vari pabasa ravo rakaoma. Akaona muIjipita achirova muHebheru, mumwe wavanhu vokwake. Akaringa-ringa ndokuona kusina munhu achibva auraya muIjipita, ndokumuviga mujecha. Zuva rakatevera, akabuda akaona vaHebheru vaviri vachirwa. Akabvunza uya akanga akanganisa akati, “Seiko uchirova mumwe wako muHebheru?” Murume uya akati, “Ndianiko akakuita mubati nomutongi pamusoro pedu? Uri kuda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nhai?” Ipapo Mozisi akatya akafunga akati, “Zvandakaita zvinofanira kuva zvava kuzivikanwa.” Faro akati anzwa izvi, akaedza kuuraya Mozisi, asi Mozisi akatiza Faro akaenda kundogara kuMidhiani, uye akagara patsime. Zvino muprista weMidhiani akanga ana vanasikana vanomwe uye vakauya kuzochera mvura yokuti vazadze midziyo yainwira zvipfuwo zvababa vavo. Vamwe vafudzi vakasvika vakavadzinga, asi Mozisi akasimuka akavanunura uye akanwisa zvipfuwo zvavo. Vasikana pavakadzokera kuna Reueri baba vavo, akavabvunza akati, “Makurumidza seiko kudzoka nhasi?” Vakapindura vakati, “Tanunurwa nomuIjipita kubva kuvafudzi. Abva aticherera mvura uye akanwisa zvipfuwo.” Akabvunza vanasikana vake akati, “Aripiko? Mamusiyirei? Mudanei, auye azodya.” Mozisi akabvuma kugara nomurume uyu, uyo akazopa mwanasikana wake Zipora kuna Mozisi kuti ave mukadzi wake. Zipora akabereka mwanakomana, uye Mozisi akamutumidza zita rokuti Gerishomi, achiti, “Ndava mueni munyika yavatorwa.” Zvino makore mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa. VaIsraeri vakagomera muutapwa hwavo uye vakachema, kuchemera rubatsiro rwavo nokuda kwoutapwa hwavo kukakwira kuna Mwari. Mwari akanzwa kugomera kwavo uye akarangarira sungano yake naAbhurahama, naIsaka uye naJakobho. Saka Mwari akatarisa pamusoro pavaIsraeri uye akava nehanya navo. Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo tezvara wake, muprista weMidhiani, uye akatungamirira makwai kurutivi rwuri kure negwenga akasvika kuHorebhi, gomo raMwari. Ikoko, mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumarimi omoto aiva mugwenzi. Mozisi akaona kuti kunyange zvazvo gwenzi rakanga richipfuta, rakanga risingatsvi. Saka Mozisi akafunga akati, “Ndichaenda apo ndinoona chishamiso ichi, kuti seiko gwenzi risingatsvi.” Jehovha akati aona kuti akanga aendako kuti andoona, Mwari akadana kwaari kubva mugwenzi akati, “Mozisi! Mozisi!” Uye Mozisi akati, “Ndiri pano hangu.” Mwari akati, “Usaswedera pedyo. Bvisa shangu dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.” Ipapo akati, “Ndini Mwari wababa vako, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho.” Uye Mozisi akafukidza chiso chake, nokuti akanga achitya kutarisa Mwari. Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndaona kutambudzika kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa, uye ndinoziva kutambudzika kwavo. Saka ndaburuka kuti ndivanunure vabve muruoko rwavaIjipita uye kuti ndivabudise munyika iyo ndivaise kunyika yakanaka uye yakakura, nyika inoyerera mukaka nouchi, nzvimbo yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. Uye zvino kuchema kwavaIsraeri kwasvika kwandiri, uye ndaona nzira yavanotambudzwa nayo navaIjipita. Saka chienda, zvino, ndiri kukutuma kuna Faro kuti undobudisa vanhu vangu vaIsraeri kubva muIjipiti.” Asi Mozisi akati kuna Mwari, “Ndini aniko ini kuti ndiende kuna Faro uye kuti ndinobudisa vaIsraeri kubva muIjipiti?” Uye Mwari akati, “Ndichava newe. Uye ichi chichava chiratidzo kwauri chokuti ndini ndakutuma: Paunenge wabudisa vanhu kubva muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.” Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsrareri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?” Mwari akati kuna Mozisi “NDICHAVA WANDICHAVA. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘NDICHAVA’ andituma kwamuri.” Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, zita randinofanira kurangarirwa naro kusvikira kumarudzi ose.” “Enda undounganidza vakuru vavaIsraeri ugoti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwandiri uye akati, “Ndakatarira pamusoro penyu uye ndikaona zvakanga zvichiitwa kwamuri muIjipiti. Uye ndakavimbisa kukubudisai mukutambudzika kwenyu muIjipiti ndikuisei kunyika yavaKenani, navaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi, nyika inoyerera mukaka nouchi.” ’ “Vakuru vavaIsraeri vachakuteerera. Ipapo iwe navakuru vavaIsraeri munofanira kuenda kuna mambo weIjipiti munoti kwaari, ‘Jehovha Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Regai tifambe rwendo rwamazuva matatu tiende kurenje kuti tindobayira kuna Jehovha Mwari wedu.’ Asi ndinoziva kuti mambo weIjipiti haasi kuzokutenderai kunze kwokunge ruoko rune simba rwamumanikidza. Saka ndichatambanudza ruoko rwangu ndigorova vaIjipiti nezvishamiso zvose zvandichaita pakati pavo. Shure kwaizvozvo achakutendererai kuenda. “Uye ndichaita kuti vaIjipita vaitire vanhu ava nyasha, zvokuti pamunoenda hamuendi musina chinhu. Mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira muvakidzani wake nomukadzi upi zvake waagere naye mumba make zvishongo zvesirivha nezvegoridhe uye nguo dzamuchapfekedza vanakomana venyu nevanasikana venyu. Uye saizvozvo muchapamba vaIjipita.” Mozisi akapindura akati, “Ko, kana vakasanditenda kana kunditeerera uye vakati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri’?” Ipapo Jehovha akati kwaari, “Chiiko icho chiri muruoko rwako?” Akapindura akati, “Itsvimbo.” Jehovha akati, “Ikande pasi.” Mozisi akaikanda pasi ikava nyoka, uye akaitiza. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Tambanudza ruoko ugoibata nokumuswe.” Saka Mozisi akatambanudza ruoko ndokubata nyoka uye ikadzokera pakare pakuva tsvimbo muruoko rwake. Jehovha akati, “Izvi ndezvokuti vagotenda kuti Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, azviratidza kwauri.” Ipapo Jehovha akati, “Isa ruoko rwako muchipfuva chako.” Saka Mozisi akaisa ruoko rwake muchipfuva chake, uye paakarubudisa, rwakanga rwachena maperembudzi, sechando. Iye akati, “Zvino chirudzorerazve muchipfuva chako,” uye paakarubudisa, rwakanga rwavandudzwa, rwaita somuviri wake wose. Ipapo Jehovha akati, “Kana vasingakutendi kana kuteerera kuchiratidzo chokutanga, vangangotendawo chechipiri. Asi kana vasingatendi zviratidzo zviviri izvi kana kukuteerera, utore mvura kubva muNairi ugoidira pasi. Mvura yaunotora kubva murwizi ichava ropa pamusoro pevhu.” Mozisi akati kuna Jehovha, “Haiwa Jehovha, handina kumbogona kutaura, kunyange nakare, kana kubva pamataura nomuranda wenyu. Ndinokakama pakutaura uye rurimi rwangu runononoka.” Jehovha akati kwaari, “Ndianiko akapa munhu muromo? Ndianiko anomuita matsi kana mbeveve? Ndiani anomusvinudza kana kumuita bofu? Handisini here, Jehovha? Zvino chienda, ini ndichakubatsira kutaura uye ndichakudzidzisa zvokutaura.” Asi Mozisi akati, “Haiwa Jehovha, ndapota hangu, tumai henyu mumwe kuti aite izvozvo.” Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro paMozisi uye akati, “Ko, mukoma wako, Aroni muRevhi? Ndinoziva kuti anogona kutaura zvakanaka. Ari munzira kuzokuchingamidza izvozvi, uye mwoyo wake uchafara paachakuona. Uchataura naye ugoisa mashoko mumuromo make; ndichakubatsirai mose uye ndichakudzidzisai zvokuita. Uye achataura kuvanhu panzvimbo yako, uye zvichaita sokunge iye ndiye muromo wako uye sokunge iwe ndiwe Mwari kwaari. Asi takura tsvimbo iyi muruoko rwako yauchaita zviratidzo nayo.” Ipapo Mozisi akadzokera kuna Jeturo tezvara wake akati kwaari, “Regai ndidzokere kuvanhu vokwangu kuIjipiti kuti ndinoona kana vachiri vapenyu.” Jeturo akati, “Enda hako, ufambe zvakanaka.” Zvino Jehovha akanga ati kuna Mozisi ari muMidhiani, “Dzokera kuIjipiti, nokuti vanhu vose vaida kukuuraya vakafa.” Saka Mozisi akatora mukadzi wake navanakomana vake akavakwidza pambongoro akasimuka akadzokera kuIjipiti. Uye akatakura tsvimbo yaMwari muruoko rwake. Jehovha akati kuna Mozisi, “Paunodzokera kuIjipiti, uone kuti waita zvishamiso zvose pamberi paFaro, ndakupa simba rokuita izvozvo. Asi ndichaomesa mwoyo wake zvokuti haazotenderi vanhu kuenda. Ipapo uti kuna Faro, ‘Zvanzi naJehovha: Israeri ndiye mwanakomana wangu wedangwe, uye ndinoti kwauri, “Rega mwanakomana wangu aende, kuti anondinamata.” Asi kana ukaramba kumutendera kuti aende, ndichauraya mwanakomana wako wedangwe.’ ” Ari paimba yavaeni pavakavata, Jehovha akasangana naMozisi uye akada kumuuraya. Asi Zipora akatora banga rebwe romusarasara akacheka chikanda chapamberi chomwanakomana wake uye akabata tsoka dzaMozisi nacho. Akati, “Zvirokwazvo uri murume weropa kwandiri.” Saka Jehovha akamurega. Panguva iyoyo Zipora akati kwaari, “Murume weropa,” achireva nezvokudzingiswa. Jehovha akati kuna Aroni, “Enda kurenje undosangana naMozisi.” Saka akasangana naMozisi pagomo raMwari uye akamutsvoda. Ipapo Mozisi akaudza Aroni zvinhu zvose zvaakanga atumwa naJehovha kuti azozvitaura, uyewo pamusoro pezvishamiso zvose zvaakanga amurayira kuti aite. Mozisi naAroni vakaunganidza vakuru vose vavana vaIsraeri, uye Aroni akavaudza zvinhu zvose zvakanga zvaudzwa Mozisi naJehovha. Akaitawo zviratidzo pamberi pavanhu, vakatenda. Uye pavakanzwa kuti Jehovha akanga ane hanya navo, uye kuti akanga aona kutambudzika kwavo, vakakotama pasi vakanamata. Shure kwaizvozvo Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakati, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondiitira mutambo kurenje.’ ” Faro akati, “Jehovha ndianiko, kuti ndigomuteerera uye ndigorega vaIsraeri vachienda? Handimuzivi Jehovha iyeye uye handidi kurega vaIsraeri vachienda.” Ipapo vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Zvino tiregei tifambe rwendo rwamazuva matatu kurenje kuti tinobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wedu, kuti arege kutirova namatambudziko kana nomunondo.” Asi mambo weIjipiti akati, “Mozisi naAroni, munobvisireiko vanhu pabasa ravo? Dzokerai kubasa renyu!” Ipapo Faro akati, “Tarirai, vanhu vawanda zvino munyika, uye muri kuvakonesa kushanda.” Musi mumwe chetewo Faro akarayira vatariri vebasa navakuru vakuru vavanhu achiti, “Imi hamuchazovigiri vanhu uswa hwokuita zvidhina; varegei vandozviunganidzira uswa pachavo. Asi vanofanira kuita zvidhina zvakaenzana pakuwanda nezvavaisimboita kare; musazvitapudza. Isimbe; ndokusaka vachichema vachiti, ‘Tiregei tiende kundobayira kuna Mwari wedu.’ Itai kuti basa rinyanye kuomera vanhu kuitira kuti varambe vachishanda uye varege kuteerera kunhema.” Ipapo vatariri vebasa navakuru vakuru vakabuda vakandoti kuvanhu, “Zvanzi naFaro, ‘Handichazokupaizve uswa. Endai mundozvitsvakira uswa kana kupi zvako kwamungahuwana, asi basa renyu haritapudzwi kana napaduku.’ ” Saka vanhu vakapararira muIjipiti yose kundounganidza mashanga kuti vaashandise pachinzvimbo chouswa. Vatariri vebasa vakaramba vachivamanikidza vachiti, “Pedzai basa ramakatarirwa pazuva rimwe nerimwe, sezvamaiita pamaiwana uswa.” Vakuru vakuru vavaIsraeri vakanga vagadzwa navatariri vebasa vaFaro vakarohwa uye vakabvunzwa kuti, “Seiko musina kupedza basa renyu rezvidhina zvanezuro nezvanhasi, sezvamaichiita kare pamaipuwa uswa.” Ipapo vakuru vakuru vavaIsraeri vakaenda nechichemo kuna Faro vakati, “Seiko muchibata varanda venyu nenzira yakadai? Varanda venyu havapiwi uswa, asi tinonzi, ‘Itai zvidhina!’ Varanda venyu vari kurohwa, asi mhosva ndeyavanhu venyu.” Faro akati, “Simbe, ndizvo zvamuri imi, muri simbe! Ndokusaka muchingoramba muchiti, ‘Tiregei tindobayira kuna Jehovha.’ Zvino chiendai kubasa. Hamuzombopiwi kana uswa, asi munofanira kuita basa renyu rezvidhina zvakakwana.” Vakuru vakuru vavaIsraeri vakaona kuti vapinda mudambudziko pavakaudzwa kuti, “Hamufaniri kutapudza uwandu hwezvidhina zvamakatarirwa pazuva rimwe.” Pavakabva pana Faro, vakawana Mozisi naAroni vakavamirira, uye vakati, “Jehovha ngaakutarirei uye akutongei! Matiita chinhu chinonhuwa kuna Faro namachinda ake uye maisa munondo muruoko rwavo kuti vatiuraye.” Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, mauyisireiko dambudziko pamusoro pavanhu ava? Ndizvo zvamakanditumira here? Kubva pandakaenda kuna Faro kuti ndinotaura muzita renyu, iye akauyisa dambudziko pamusoro pavanhu ava, uye imi hamuna kutongonunura vanhu venyu napaduku.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino uchaona zvandichaita kuna Faro. Nokuda kworuoko rwangu rune simba achavaregera kuti vaende; nokuda kworuoko rwangu rune simba achavadzinga munyika make.” Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Ndini Jehovha. Ndakazviratidza kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho saMwari Wamasimba Ose, asi nezita rangu, Jehovha, handina kuzvizivisa kwavari. Ndakasimbisawo sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika yavakagara savatorwa. Pamusoro paizvozvo, ndanzwa kugomera kwavaIsraeri, vakabatwa muutapwa navaIjipita, uye ndarangarira sungano yangu. “Naizvozvo, uti kuvaIsraeri, ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubudisai kubva pasi pejoko ravaIjipita. Ndichakusunungurai kuti musava nhapwa kwavari, uye ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa uye nokutonga kwamabasa makuru. Ndichakutorai savanhu vangu, uye ndichava Mwari wenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubvisai pasi pejoko ravaIjipita. Uye ndichakuuyisai kunyika yandakapika ndakasimudza ruoko kuna Abhurahama, kuna Isaka nokuna Jakobho. Ndichaipa kwamuri senhaka yenyu. Ndini Jehovha.’ ” Mozisi akazivisa izvi kuvaIsraeri, asi havana kumuteerera nokuda kwokuora mwoyo kwavo uye nousungwa hune utsinye. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda undotaurira Faro mambo weIjipiti kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.” As Mozisi akati kuna Jehovha, “Kana vaIsraeri vasinganditeereri, Faro anganditeerera seiko, sezvo ndichitaura nemiromo inokakama?” Zvino Jehovha akataura kuna Mozisi naAroni pamusoro pavaIsraeri napamusoro paFaro mambo weIjipiti, uye akavarayira kuti vabudise vaIsraeri kubva muIjipiti. Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzavo: Vanakomana vaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri vaiva Hanoki naParu, Hezironi naKami. Idzi ndidzo dzakanga dziri dzimba dzaRubheni. Vanakomana vaSimeoni vaiva Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri mwanakomana womukadzi muKenani. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaSimeoni. Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi maererano nokunyorwa kwawo: Gerishoni, Kohati naMerari. Revhi akararama makore zana namakumi matatu namanomwe. Vanakomana vaGerishoni, nedzimba dzavo, vaiva Ribhini naShimei. Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri. Kohati akararama kwamakore zana namakumi matatu namatatu. Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaRevhi sokunyorwa kwadzo. Amurami akawana hanzvadzi yababa vake Jokebhedhi, uyo akamuberekera Aroni naMozisi. Amurami akararama kwamakore zana namakumi matatu namanomwe. Vanakomana vaIzhari vaiva Kora, Nefegi naZikiri. Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, Erizafani naSitiri. Aroni akawana Erishebha mwanasikana waAminadhabhi nehanzvadzi yaNashoni, uye akamuberekera Nadhabhu naAbhihu, Ereazari naItamari. Vanakomana vaKora vaiva Asiri, Erikana naAbhiasafu. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaKora. Ereazari mwanakomana waAroni akawana mumwe wavanasikana vaPutieri, uye akamuberekera Finehazi. Ava ndivo vakanga vari vakuru vemhuri dzavaRevhi, imba neimba. Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, “Budisai vaIsraeri muIjipiti namapoka avo.” Ndivo vakataura kuna Faro mambo weIjipiti pamusoro pokubudisa vaIsraeri kubva muIjipiti. Ndivo vamwe chetevo Mozisi naAroni. Zvino Jehovha paakataura naMozisi muIjipiti, akati kwaari, “Ndini Jehovha. Taurira Faro mambo weIjipiti zvose zvandinokuudza.” Asi Mozisi akati kuna Jehovha, “Sezvo ndichitaura nemiromo inokakama, Faro angateerera kwandiri seiko?” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi. “Tarira, ndakuita saMwari kuna Faro, uye mukoma wako Aroni achava muprofita wako. Unofanira kutaura zvinhu zvose zvandinokurayira, uye mukoma wako Aroni anofanira kuudza Faro kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake. Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti, haazombokuteereri. Ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye namabasa okutonga kukuru ndichabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu vaIsraeri. Uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye ndichabudisa vaIsraeri kubva mairi.” Mozisi naAroni vakaita sezvavakanga varayirwa naJehovha. Mozisi akanga ana makore makumi masere uye Aroni makumi masere namatatu pavakataura kuna Faro. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Faro paanoti kwamuri, ‘Itai chiratidzo,’ ipapo uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uikande pasi pamberi paFaro,’ uye ichava nyoka.” Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka. Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye n'anga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo. Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo. Asi mwoyo waFaro wakava wakaoma uye haana kuvateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Mwoyo waFaro mukukutu; haabvumi kuti vanhu vaende. Enda kuna Faro mangwanani paanenge achienda kumvura. Umire pamahombekombe aNairi kuti ugosangana naye, uye ubate muruoko rwako tsvimbo iya yakashandurwa ikava nyoka. Ipapo uti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, andituma kuti ndizoti kwauri: Rega vanhu vangu vaende, kuitira kuti vanondinamata murenje. Asi kusvikira zvino hauna kunditeerera. Zvanzi naJehovha, “Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Ndicharova mvura yeNairi netsvimbo iri muruoko rwangu uye iyo ichashanduka ikava ropa. Hove dziri muNairi dzichafa, uye rwizi ruchanhuhwa; vaIjipita havazokwanisi kunwa mvura yarwo.” ’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tora tsvimbo yako uye utambanudze ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro pehova pamusoro pemigero, pamusoro pamadziva uye napamusoro pamagawa,’ uye zvichashanduka zvikava ropa. Ropa richava pose pose muIjipiti, kunyange mukati memidziyo yamatanda neyamabwe.” Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, uye mvura yose ikashanduka ikava ropa. Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti. Asi n'anga dzavaIjipita dzakaita zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo, uye mwoyo waFaro ukava mukukutu; haana kuda kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Asi akadzokera mumuzinda wake, uye haana kunyange kuzviisa mumwoyo make. Uye vaIjipita vose vakachera mujinga maNairi kuti vawane mvura yokunwa, nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yomurwizi. Mazuva manomwe akapfuura mushure mokunge Jehovha arova Nairi. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. Kana ukaramba kuti vaende, ndichatambudza nyika yako yose namatatya. Nairi ruchazara namatatya. Achakwira agopinda mumuzinda wako nomuimba yako yokuvata uye napamubhedha wako, nomudzimba dzamachinda ako uye napavanhu vako uye muzvoto zvako nepokukanyira chingwa. Matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro pamachinda ako ose.’ ” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza ruoko rwako pamwe chete netsvimbo yako pamusoro pehova napamusoro pemigero napamadziva, uye uite kuti matatya auye pamusoro penyika yeIjipiti.’ ” Saka Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, uye matatya akauya akafukidza nyika. Asi n'anga dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo; vakaitawo matatya kuti auye pamusoro penyika yeIjipiti. Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya aya kwandiri uye nokuvanhu vangu, uye ini ndichatendera vanhu venyu kuti vaende kundobayira zvipiriso kuna Jehovha.” Mozisi akati kuna Faro, “Ndinopa ruremekedzo kwamuri kuti mureve nguva yokuti ndikunyengetererei imi navaranda venyu uye navanhu venyu kuti imi nedzimba dzenyu mubvisirwe matatya, kuti asare muNairi chete.” Faro akati, “Mangwana.” Mozisi akapindura akati, “Zvichaitika sezvamareva, kuitira kuti mugoziva kuti hakuna mumwe akaita saJehovha Mwari wedu. Matatya achabva kwamuri nomudzimba dzenyu, machinda enyu nokuvanhu venyu; achasara muna Nairi chete.” Ipapo Mozisi naAroni vakabva pana Faro, Mozisi akadana kuna Jehovha pamusoro pamatatya aakanga auyisa kuna Faro. Uye Jehovha akaita zvakanga zvakumbirwa naMozisi. Matatya akafa mudzimba, nomuruvazhe uye nomuminda. Akaunganidzwa akaita mirwi uye nyika yakanhuhwa nokuda kwawo. Asi Faro akati aona kuti rusununguko rwakanga rwavapo, akaomesa mwoyo wake uye akasada kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza tsvimbo yako ugorova guruva revhu,’ uye munyika yose yeIjipiti, guruva richava umhutu.” Vakaita izvozvo uye Aroni akati atambanudza ruoko rwaiva netsvimbo uye akarova guruva umhutu hwakauya pamusoro pavanhu nezvipfuwo. Guruva rose munyika yose yeIjipiti rakava umhutu. Asi n'anga dzakakonewa, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu. N'anga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro paanenge achienda kumvura ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. Kana usingatenderi vanhu vangu kuti vaende, ndichatumira bute renhunzi pamusoro pako napamusoro pamachinda ako, napamusoro pavanhu vako uye nomudzimba dzenyu. Dzimba dzavaIjipita dzichazara nenhunzi, uye kunyange pavhu pavamire. “ ‘Asi pazuva iroro ndichatsaura nyika yeGosheni uko kunogara vanhu vangu; hakuna bute renhunzi richawanikwa ikoko kuitira kuti ugoziva kuti ini, Jehovha, ndiri munyika muno. Ndichaita mutsauko pakati pavanhu vangu navanhu vako. Chiratidzo ichi chichaitika mangwana.’ ” Uye Jehovha akaita izvozvo. Mabute enhunzi akapinda mumuzinda maFaro uye nomudzimba dzamachinda ake, uye muIjipiti yose, nyika yakaparadzwa namabute enhunzi. Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni kati, “Endai mundobayira kuna Mwari wenyu munyika muno.” Asi Mozisi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo. Zvipiriso zvatinoda kubayira kuna Jehovha Mwari wedu zvingazonyangadza vaIjipita. Uye kana tikapa zvibayiro zvinonyangadza pamberi pavo, havangazotitaki namabwe here? Tinofanira kufamba rwendo rwamazuva matatu kuti tinobayira kuna Jehovha Mwari wedu murenje, sezvaakatirayira.” Faro akati, “Ndichakutenderai kuenda kunobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wenyu murenje, asi hamufaniri kuenda kure kure. Zvino chindinyengetererai.” Mozisi akapindura akati, “Ndichangobva pauri, ndichanonyengetera kuna Jehovha, uye mangwana nhunzi dzichabva pana Faro namachinda ake uye napavanhu vake. Ivai nechokwadi chete kuti Faro haazonyengerizve achirambidza vanhu kuenda kundopa zvibayiro kuna Jehovha.” Ipapo akabva pana Faro akandonyengetera kuna Jehovha, uye Jehovha akaita zvaakakumbirwa naMozisi. Nhunzi dzakabva pana Faro nokumachinda ake uye nokuvanhu vake; hakuna nhunzi yakasara. Asi panguva inozve, Faro akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendera vanhu kuti vaende. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. Kana uchiramba kuti vaende uye ukaramba uchivadzivisa, ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye napamusoro pamakwai nembudzi. Asi Jehovha achaisa mutsauko pakati pezvipfuwo zveIsraeri nezveIjipiti, kuitira kuti parege kuva nezvipfuwo zvavaIsraeri zvichafa.’ ” Jehovha akatsaura nguva uye akati, “Mangwana Jehovha achaita izvi munyika.” Uye chifumi chamangwana Jehovha akazviita: Zvipfuwo zvose zvavaIjipita zvakafa, asi hapana kana chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakafa. Faro akatuma vanhu kundoferefeta uye akawana kuti pakanga pasina kunyange chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakanga chafa. Asi mwoyo wake wakanga uri mukukutu uye haana kutendera vanhu kuenda. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Torai tsama dzamadota kubva pachoto mugoita kuti Mozisi aakushe mumhepo pamberi paFaro. Richava guruva rakatsetseka pamusoro penyika yose yeIjipiti, uye mamota anoputika achamera pavanhu napazvipfuwo munyika yose.” Saka vakatora madota pachoto uye vakandomira pamberi paFaro. Mozisi akaakusha mumhepo, uye mamota anoputika akamera pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo. N'anga hadzina kugona kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota akanga ari pavari uye napavaIjipita vose. Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kuteerera kuna Mozisi naAroni, zvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata, kana zvikasadaro nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pako napamusoro pavaranda vako uye pamusoro pavanhu vako, kuti ugoziva kuti hakuna mumwe akafanana neni munyika yose. Nokuti iye zvino ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yaigona kukuparadzai panyika. Asi ndakakumutsa nokuda kwechinangwa ichi, kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riparidzwe munyika yose. Iwe wakazvigadzirira kurwa navanhu vangu uye haudi kuvatendera kuti vaende. Naizvozvo, nenguva ino mangwana ndichatuma chimvuramabwe chakaipisisa kwazvo chisina kumbovapo pamusoro peIjipiti, kubva pazuva rayakavambwa kusvikira zvino. Chirayira izvozvi kuti zvipfuwo zvako nezvose zviri musango zvipinde mumatanga, nokuti chimvuramabwe chichawira pamusoro pomunhu wose napamusoro pezvipfuwo zvisina kupfigirwa uye zvichiri musango, uye zvichafa.’ ” Machinda aFaro ayo akanga achitya shoko raJehovha akakurumidza kupinza vatapwa vavo nezvipfuwo zvavo mukati. Asi vaya vakazvidza shoko raJehovha vakarega vatapwa vavo nezvipfuwo zviri musango. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.” Mozisi akati atambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma mutinhimiro nechimvuramabwe, uye mheni ikapenya pasi. Saka Jehovha akanayisa chimvuramabwe pamusoro penyika yeIjipiti; chimvuramabwe chakawa uye mheni yakapenya mberi neshure. Ndiro rakava dutu rakaipisisa kwazvo munyika yose yeIjipiti, kubva panguva yavakatanga kuva rudzi. Munyika yose yeIjipiti, chimvuramabwe chakarova zvinhu zvose zvakanga zviri musango, zvose vanhu nezvipfuwo; chakarovera pasi zvose zvaimera musango ndokuparadza miti yose. Nzvimbo yachisina kunaya chete inyika yeGosheni, uko kwaiva navaIsraeri. Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni uye akati, “Nguva ino ndatadza. Jehovha ndiye akarurama asi ini navanhu vangu hatina kururama. Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti mutinhiro nechimvuramabwe zvanyanya. Ndichakutenderai kuti muende; hamuchafaniri kuramba mugerezve pano.” Mozisi akapindura akati, “Pandichabuda muguta, ndichatambanudza maoko angu ndichinyengetera kuna Jehovha. Mutinhiro uchapera uye hakuchazovizve nechimvuramabwe, kuti ugoziva kuti nyika ndeyaJehovha. Asi ndinoziva kuti iwe namachinda ako hamutyi Jehovha Mwari nazvino.” (Miti yeshinda nebhari zvakanga zvaparadzwa, sezvo bhari rakanga rava nehura uye miti yava namaruva. Kunyange zvakadaro gorosi nesipereketi, hazvina kuparadzwa, nokuti zvakanga zvisati zvaibva.) Ipapo Mozisi akabva pana Faro akabuda muguta. Akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha; mutinhiro nechimvuramabwe zvakamira, uye mvura haina kuzonayazve panyika. Faro akati aona kuti mvura nechimvuramabwe uye nomutinhiro zvapera, akatadzazve: Iye namachinda ake vakaomesa mwoyo yavo. Saka mwoyo waFaro wakaoma uye akasada kutendera vaIsraeri kuenda, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha kubudikidza naMozisi. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro nokuti ndaomesa mwoyo wake uye nemwoyo yamachinda ake kuitira kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pakati pavo, kuti mugoudza vana venyu navazukuru venyu mabatiro akaipa andakaitira vaIjipita uye kuti ndakaita zviratidzo zvangu sei pakati pavo, uye kuti imi mugoziva kuti ndini Jehovha.” Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoti kwaari, “Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, ‘Uchasvika riniko uchiramba kuzvininipisa pamberi pangu? Rega vanhu vangu vaende kuti vanondinamata. Kana uchiramba kuvatendera kuenda, ini ndichauyisa mhashu munyika yako mangwana. Dzichafukidza nyika yose zvokuti pasi hapangaonekwi. Dzichadya zvishoma zvawakanga wasiya shure kwechimvuramabwe, pamwe chete nemiti yose iri kumera muminda yako. Dzichazadza dzimba dzako nedzamachinda ako nedzavaIjipita vose, chinhu chisina kumboonekwa namadzibaba ako kana madzitateguru ako kubva pazuva ravakagara munyika ino kusvika zvino.’ ” Ipapo Mozisi akatendeuka akabva pana Faro. Machinda aFaro akati kwaari, “Munhu uyu acharamba ari musungo kwatiri kusvikira riniko? Regai vanhu vaende, kuti vagonamata Jehovha Mwari wavo. Ko, hamusi kuzviona here nazvino kuti Ijipiti yaparara?” Ipapo Mozisi naAroni vakadzoswazve kuna Faro. Iye akati, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu. Asi vachaenda ndivanaaniko?” Mozisi akapindura akati, “Tichaenda navaduku vedu uye navakuru, pamwe chete navanakomana vedu navanasikana vedu, uye namakwai edu nemombe dzedu, nokuti tinofanira kuita mutambo wokupemberera Jehovha.” Faro akati, “Jehovha ngaave nemi, kana ndikakutenderai kuenda, pamwe chete navakadzi navana venyu! Zviri pachena kuti imi muri kuda kuita zvakaipa. Kwete! Varume chete ngavaende; uye vandonamata Jehovha, sezvo zviri izvo zvamanga muchikumbira.” Ipapo Mozisi naAroni vakadzingwa pamberi paFaro. Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudza ruoko rwako pamusoro peIjipiti kuitira kuti mhashu dzigoita bute pamusoro dzigodya zvose zvinomera muminda, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.” Saka Mozisi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro peIjipiti, uye Jehovha akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute munyika zuva rose nousiku hwose. Mangwanani, mhepo yakanga yauyisa mhashu; dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve. Dzakafukidza pasi pose kusvikira pasviba kuti svi-i. Dzakadya zvose zvakanga zvasara shure kwechimvuramabwe, zvinhu zvose zvaimera muminda uye michero yaiva pamiti. Hakuna chakasvibirira chakasara mumiti kana zvirimwa zvomunyika yose yeIjipiti. Faro akakurumidza kudana Mozisi naAroni akati, “Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye nemi. Zvino ndiregerereizve chivi changu uye munyengetere kuna Jehovha Mwari wenyu kuti abvise kwandiri dambudziko rinouraya iri.” Ipapo Mozisi akabva pana Faro uye akanyengetera kuna Jehovha. Uye Jehovha akashandura mhepo ikava mhepo ine simba yokumavirira iyo ikasimudza mhashu ikadzikanda muGungwa Dzvuku. Hapana mhashu yakasara papi zvapo muIjipiti. Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, uye akasatendera vaIsraeri kuti vaende. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti rima ripararire pamusoro peIjipiti, rima ringabatika.” Saka Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, uye rima guru rakafukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. Hapana aigona kuona mumwe munhu papi zvapo kana kubva panzvimbo yake kwamazuva matatu. Asi vaIsraeri vainge vane chiedza munzvimbo dzavaigara. Ipapo Faro akadana Mozisi akati, “Endai mundonamata Jehovha. Kunyange vakadzi venyu navana vangaenda havo nemi; musiye chete makwai enyu nemombe.” Asi Mozisi akati, “Munofanira kutitendera kuti tive nezvibayiro uye zvipirisio zvinopiswa kuti tipe kuna Jehovha Mwari wedu. Zvipfuwo zvedu zvinofanira kuendawo nesu; hapana hwanda rinofanira kusara. Tinofanira kuzvishandisa zvimwe zvacho mukunamata Jehovha Mwari wedu, uye kusvikira tasvikako hatingazivi zvatingashandisa kuti tinamate Jehovha.” Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, uye haana kuda kuvatendera kuti vaende. Faro akati kuna Mozisi, “Ibvai pano! Chenjerai kuti murege kuzoonekwazve pamberi pangu! Musi wamuchaona chiso changu muchafa.” Mozisi akapindura akati, “Sezvamareva, handichazoonekwizve pamberi penyu.” Zvino Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Ndichauyisa rimwezve dambudziko pamusoro paFaro napamusoro peIjipiti. Shure kwaizvozvo, achakutenderai kubva pano, uye paanozviita, achakudzingirai kunze zvachose. Udza vanhu kuti varume navakadzi, zvimwe chetezvo, vakumbire vavakidzani vavo zvishongo zvesirivha nezvegoridhe.” Jehovha akaita kuti vanhu vawanirwe nyasha navaIjipita, uye Mozisi pachake akanga achikudzwa zvikuru muIjipiti namachinda aFaro uye navanhu. Saka Mozisi akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Pakati pousiku ndichafamba napakati peIjipiti. Mwanakomana wose wedangwe ari muIjipiti achafa, kubva pamwanakomana wedangwe waFaro, iye agere pachigaro choushe, kusvikira kumwanakomana wedangwe womurandakadzi, ari paguyo rake, namatangwe ose emombewo. Pachava nokuchema kukuru muIjipiti yose, kwakadaro hakuna kumbovapo uye hakungavepozve. Asi pakati pavaIsraeri hapana kana imbwa ichahukura munhu zvake kana chipfuwo.’ Ipapo uchaziva kuti Jehovha anoita mutsauko pakati peIjipiti neIsraeri. Machinda ako ose aya achauya kwandiri, vachipfugama pamberi pangu vachiti, ‘Chiendai, imi navanhu vose vanokuteverai!’ Shure kwaizvozvo ndichaenda.” Ipapo Mozisi, atsamwa kwazvo, akabva pana Faro. Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Faro acharamba kukuteerera, kuitira kuti zvishamiso zvangu zviwande muIjipiti.” Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zvose izvi pamberi paFaro, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kutendera vaIsraeri kuti vabude munyika yake. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni vari muIjipiti, “Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, mwedzi wokutanga wegore renyu. Udzai ungano yose yeIsraeri kuti pazuva regumi romwedzi uno, murume mumwe nomumwe anofanira kutorera mhuri yake gwayana, rimwe chete paimba imwe neimwe. Kana imba ipi zvayo iri duku kwazvo pagwayana rose, vanofanira kugovana rimwe chete nomuvakidzani ari pedyo zvichienderana nouwandu hwavanhu varipo. Munofanira kuona mugove unodikanwa maererano nezvingadyiwa nomunhu mumwe nomuwe. Zvipfuwo zvamunosarudza zvinofanira kuva mikono yegore rimwe chete isina chainopomerwa, uye munogona kuzvitora kubva kumakwai kana kumbudzi. Muzvichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yeIsraeri inofanira kuzviuraya panguva yamadekwana. Ipapo vanofanira kutora rimwe ropa vagoriisa pamagwatidziro maviri egonhi napazvivivo zvedzimba dzavanodyira makwayana vari. Usiku ihwohwo vanofanira kudya nyama yakagochwa pamoto, pamwe chete nemiriwo inovava, nechingwa chisina mbiriso. Musadya nyama iri mbishi kana yakabikwa mumvura, asi mugoche pamoto, musoro, makumbo uye nezvomukati. Musasiya kana chimwe charo kusvikira mangwanani; kana zvimwe zvikasara kusvikira mangwanani, munofanira kuzvipisa. Aya ndiwo madyiro amunoriita: Majasi akasungwa nebhanire, makapfeka shangu mutsoka dzenyu, uye tsvimbo dzenyu dziri mumaoko enyu. Muridye nokukurumidza; ndiyo Pasika yaJehovha. “Nousiku ihwohwo ndichapfuura napakati peIjipiti ndigorova matangwe ose, zvose vanhu nezvipfuwo, uye ndichatonga vamwari vose veIjipiti. Ndini Jehovha. Ropa richava chiratidzo kwamuri mudzimba dzamunogara; uye ndikaona ropa, ndichapfuura pauri. Hapana hosha inoparadza ichakubatai pandicharova Ijipiti. “Iri ndiro zuva ramunofanira kurangarira; kumarudzi anotevera mucharipemberera somutambo kuna Jehovha, mutemo wokusingaperi. Kwamazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. Pazuva rokutanga mubvise mbiriso mudzimba dzenyu, nokuti ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso mukati macho kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. Pazuva rokutanga muite ungano tsvene, uye mugoitazve imwe ungano pazuva rechinomwe. Musatomboshanda pamazuva iwayo, kunze bedzi kwokugadzira zvokudya zvokuti munhu wose adye, ndizvo chete zvamungaita. “Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti pazuva irori ndipo pandakabudisa mapoka enyu kubva muIjipiti. Mupemberere zuva irori uve mutemo wokusingaperi kumarudzi anotevera. Mumwedzi wokutanga munofanira kudya chingwa chakabikwa chisina mbiriso, kubva pamadekwana ezuva regumi namana kusvikira madekwana ezuva ramakumi maviri nerimwe. Kwamazuva manomwe, mbiriso ngairege kuwanikwa mudzimba dzenyu. Uye ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso anofanira kubviswa pakati peungano yaIsraeri, angava mutorwa kana akaberekerwa munyika imomo. Musadya chinhu chakabikwa nembiriso. Pose pamunogara, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.” Ipapo Mozisi akadana vakuru vose veIsraeri akati kwavari, “Endai izvozvi mundosarudza zvipfuwo zvemhuri dzenyu mugouraya gwayana rePasika. Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo uye mugoisa rimwe ropa nechapamusoro pechivivo uye napamativi maviri amagwatidziro egonhi. Parege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwanani. Jehovha paanopinda napakati penyika kuti arove vaIjipita, achaona ropa pamusoro pechivivo nomumativi amagwatidziro egonhi uye achapfuura pamikova yenyu, uye haangatenderi muparadzi kuti apinde mudzimba dzenyu kuti akurovei. “Muteerere mirayiro iyi ive mitemo kwamuri nokuzvizvarwa zvenyu nokusingaperi. Pamunopinda munyika yamuchapiwa naJehovha sezvaakavimbisa, mucherechedze chirevo ichi. Uye pamuchabvunzwa navana venyu vachiti, ‘Zvinoreveiko izvi kwamuri?’ Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ ” Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata. VaIsraeri vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni. Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose omuIjipiti, kubva padangwe raFaro, iye aizogara pachigaro choushe, kusvika kudangwe romusungwa, akanga ari mutorongo, nedangwe rezvipfuwo zvosewo. Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa. Faro akadana Mozisi naAroni usiku akati, “Simukai, mubve pakati pavanhu vangu, imi navaIsraeri! Endai, mundonamata Jehovha sezvamakakumbira. Mutore makwai enyu nemombe, sezvamakareva, mugoenda. Uyewo mundiropafadze.” VaIjipita vakakurudzira vanhu kuti vakurumidze kubva munyika. Nokuti vakati, “Zvimwe tingafa tose!” Saka vanhu vakatora mukanyiwa wavo usati waiswa mbiriso, vakatakura pamapfudzi avo mumidziyo yokukanyira vakazviputira mumicheka. VaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naMozisi uye vakakumbira zvishongo zvesirivha, negoridhe uye nezvokupfeka. Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipita, uye vakavapa zvavakakumbira; saka vakapamba vaIjipita. VaIsraeri vakafamba kubva paRamesesi kusvikira kuSukoti. Kwakanga kuna varume mazana matanhatu ezviuru vaifamba netsoka, pasingaverengwi vakadzi navana. Vamwe vanhu vazhinji vakaendawo navo, pamwe chete namapoka makuru ezvipfuwo, zvose makwai nemombe. Vakabika makeke ezvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakabva nawo kuIjipiti. Mukanyiwa uyu wakanga usina mbiriso nokuti vakanga vadzingwa kubva muIjipiti uye havana kuwana nguva yokuti vazvigadzirire zvokudya. Zvino nguva yakagara vanhu veIsraeri muIjipiti yakanga iri makore mazana mana namakumi matatu. Pakupera kwamakore mazana mana namakumi matatu, kusvikira pazuva racho iroro, ungano yose yavanhu vaJehovha yakabva muIjipiti. Usiku uhwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa muIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsraeri vose namarudzi avo ose. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Iyi ndiyo mitemo yePasika: “Mutorwa haafaniri kuidya. Nhapwa ipi zvayo yawakatenga ingadya hayo mushure mokunge wamudzingisa, asi mueni uye nomunhu anoshandira mari haafaniri kuidya. “Inofanira kudyirwa muimba imwe chete; musabuda neimwe nyama kunze kwemba. Musavhuna kana bvupa. Ungano yose yeIsraeri inofanira kuipemberera. “Mutorwa wose agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kudzingisa varume vose vari mumba make; ipapo achadya hake somunhu akaberekerwa munyika imomo. Murume asina kudzingiswa haafaniri kuidya. Murayiro mumwe chete iwoyo unobata kuna vose vakaberekerwa munyika imomo nokumutorwa agere pakati penyu.” VaIsraeri vose vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni. Uye pazuva racho iroro Jehovha akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti namapoka avo. Jehovha akati kuna Mozisi, “Nditsaurire matangwe echirume ose. Chibereko chokutanga chechizvaro pakati pavaIsraeri ndechangu, chingava chomunhu kana chechipfuwo.” Ipapo Mozisi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri, iro zuva ramakabuda muIjipiti, munyika youtapwa, nokuti Jehovha akakubudisai mairi noruoko rune simba. Musadya chinhu chine mbiriso. Nhasi, mumwedzi waAbhibhi muri kubuda. Pamunosvitswa naJehovha munyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaHivhi, navaJebhusi, iyo nyika yaakapikira madzibaba enyu kuti vazokupai iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, munofanira kucherechedza chirevo ichi mumwedzi uno. Kwamazuva manomwe munofanira kuitira Jehovha mutambo. Mudye chingwa chisina mbiriso pamazuva manomwe iwayo; chinhu chine mbiriso hachifaniri kuonekwa pakati penyu, uye mbiriso zvayo haifaniri kuonekwa panzvimbo ipi zvayo pakati pemiganhu yenyu. Pazuva iroro uudze mwanakomana wako kuti, ‘Ndinoita izvi nokuda kwezvandakaitirwa naJehovha pandakabuda muIjipiti.’ Mucherechedzo uyu uchava kwauri sechiratidzo paruoko rwako uye sechirangaridzo pahuma yako chokuti murayiro waJehovha unofanira kuva pamiromo yako. Nokuti Jehovha akakubudisa muIjipiti noruoko rwake rune simba. Unofanira kuchengeta mutemo uyu panguva dzakatarwa gore negore. “Shure kwokunge Jehovha akusvitsa munyika yavaKenani uye aipa kwauri, sezvaakavimbisa nemhiko kwauri nokumadzitateguru ako, unofanira kupa kuna Jehovha chibereko chokutanga chezvizvaro zvose. Zvikono zvezvipfuwo zvako zvose zvinotanga kuzarura chibereko ndezvaJehovha. Udzikinure negwayana mwana wose wokutanga wembongoro, asi kana usingaudzikinuri, uvhune mutsipa wawo. Udzikinure matangwe ose pakati pavanakomana vako. “Mumazuva anouya, paunenge uchibvunzwa nomwanakomana wako kuti, ‘Zvinoreveiko izvi?’ uti kwaari, ‘Noruoko rune simba Jehovha akatibudisa muIjipiti, munyika youtapwa. Faro paakasindimara achiramba kuti tiende, Jehovha akauraya matangwe ose omuIjipiti, zvose vanhu nezvipfuwo. Ndokusaka ndichibayira kuna Jehovha mukono wokutanga wechibereko chechizvaro chose uye ndichidzikinura dangwe rimwe nerimwe ravanakomana vangu.’ Uye chichava chiratidzo paruoko rwako uye rundanyara pahuma yako kuti Jehovha akatibudisa kubva muIjipiti noruoko rune simba.” Faro akati atendera vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira nomumugwagwa waipinda nomunyika yavaFiristia, kunyange zvayo yakanga iri pfupi. Nokuti Mwari akati, “Kana vakasangana nehondo, vangashandura pfungwa dzavo vakadzokera kuIjipiti.” Saka Mwari akatungamirira vanhu achipoterera nomumugwagwa womurenje vakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti vakapakata nhumbi dzehondo. Mozisi akatora mapfupa aJosefa nokuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko. Akanga ati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva panzvimbo ino.” Vakati vabva paSukoti vakadzika musasa paEtami pamucheto werenje. Masikati Jehovha aivatungamirira neshongwe yegore kuti avatungamirire munzira yavo uye usiku aivatungamirira neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe, kuti vafambe masikati kana usiku. Shongwe yegore masikati kana shongwe yemoto usiku hazvina kubva panzvimbo yazvo pamberi pavanhu. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri kuti vadzoke vagondodzika musasa pedyo nePi Hahiroti, pakati peMigidhori negungwa. Vanofanira kudzika misasa pedyo nepagungwa, pakatarisana neBhaari Zefoni. Faro achafunga kuti, ‘VaIsraeri vari kungodzungaira nenyika vakanganisika, vadzimira murenje.’ Uye ndichaomesa mwoyo waFaro, agovatevera. Asi ini ndichazviwanira kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha.” Saka vaIsraeri vakaita izvozvo. Mambo weIjipiti akati audzwa kuti vanhu vatiza, Faro namachinda ake vakapindura pfungwa dzavo pamusoro pavo uye vakati, “Ko, taitei? Tarega vaIsraeri vachienda uye havachatishandiri!” Saka akaita ngoro dzake dzigadzirwe uye akatora hondo yake akaenda nayo. Akatora ngoro dzakanakisisa dzaisvika mazana matanhatu, pamwe chete nedzimwe ngoro dzeIjipiti dzina vatariri vadzo dzose. Jehovha akaomesa mwoyo waFaro mambo weIjipiti, kuti atevere vaIsraeri, avo vakanga vachifamba vakashinga kwazvo. VaIjipita, mabhiza ose aFaro nengoro dzake, vatasvi vamabhiza namauto, vakatevera vaIsraeri vakavabata pavakanga vadzika musasa pagungwa pedyo nePi Hahiroti, pakatarisana neBhaari Zefoni. Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona havo vaIjipita, vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha. Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti? Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here?’ Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!” Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona rusununguro rwaJehovha rwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve. Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Seiko uchidanidzira kwandiri? Taurira vaIsraeri kuti vapfuurire mberi. Simudza tsvimbo yako ugotambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuti mvura iparadzane kuitira kuti vaIsraeri vapinde mugungwa napavhu rakaoma. Ndichaomesa mwoyo yavaIjipita zvokuti vachapinda vachivatevera. Uye ndichawana kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, nengoro dzake uye navatasvi vake vamabhiza. VaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichawana kukudzwa kubudikidza naFaro, ngoro dzake navatasvi vake vamabhiza.” Ipapo mutumwa waMwari, uyo akanga achifamba ari mberi kwehondo yavaIsraeri, akadzokera shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi kwavo ikandomira shure kwavo, iri pakati pehondo dzeIjipiti nedzeIsraeri. Usiku hwose gore rakauyisa rima kuno rumwe rutivi uye chiedza kuno rumwe rutivi; saka hakuna akaswedera kuno mumwe usiku hwose. Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka rikava nyika yakaoma. Mvura yakakamurana, uye vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rworudyi uye nokuruboshwe rwavo. VaIjipita vakavatevera, uye mabhiza ose aFaro nengoro dzake navatasvi vamabhiza vakatevera mugungwa. Panguva yamangwanani Jehovha akatarira pasi nomushongwe yomoto uye nomugore raiva kurutivi rwehondo yavaIjipita, akainyonganisa. Akaita kuti mavhiri engoro dzavo abve zvokuti zvakanga zvaoma kudzifambisa. Uye vaIjipita vakati, “Ngatitizei kubva kuvaIsraeri. Jehovha ari kuvarwira achirwa navaIjipita.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuitira kuti mvura iyerere napamusoro pavaIjipita napamusoro pengoro dzavo napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.” Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye kwaedza, gungwa rakadzokera panzvimbo yaro. VaIjipita vakanga vachitizira kwariri, uye Jehovha akavakukurira mugungwa. Mvura yakadzokera pakare uye ikafukidza ngoro navatasvi vamabhiza, hondo yose yaFaro yakanga yatevera vaIsraeri ikanyura mugungwa. Hapana kana mumwe wavo akararama. Asi vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rwavo rworudyi nokuruboshwe. Zuva iroro Jehovha akaponesa vaIsraeri kubva mumaoko avaIjipita, uye vaIsraeri vakaona vaIjipita vakanga vafa pamahombekombe. Uye vaIsraeri pavakaona simba guru raJehovha richiratidzwa pamusoro pavaIjipita, vanhu vakatya Jehovha uye vakatenda kwaari naMozisi muranda wake. Ipapo Mozisi navaIsraeri vakaimba rwiyo urwu kuna Jehovha: “Ndichaimbira Jehovha, nokuti iye anokudzwa zvikurukuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye ava ruponeso rwangu. Ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza, Mwari wababa vangu, uye ndichamukudza. Jehovha imhare; Jehovha ndiro zita rake. Ngoro dzaFaro nehondo yake akazvikanda mugungwa. Machinda aFaro akanakisisa akanyudzwa muGungwa Dzvuku. Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura kwakadzika sedombo. “Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha, rwakakudzwa nesimba. Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha, rwakaparadza muvengi.” Muukuru hwoumambo hwenyu makakanda pasi vaya vaikupikisai. Makasunungura kutsamwa kwenyu kunopisa, kukavapisa sehundi. Nokufema kwemhino dzenyu mvura zhinji yakaita murwi. Mvura yamasaisai yakamira yakasimba semadziro; mvura yakadzika yakagwamba mukati megungwa. “Muvengi akazvikudza achiti, ‘Ndichavatevera, ndichavabata. ndichagova zvakapambwa; ndichazvimbirwa navo. Ndichavhomora munondo wangu uye ruoko rwangu ruchavaparadza.’ Asi makafuridza nokufema kwenyu, uye gungwa rikavafukidza. Vakanyura somutobvu mukati memvura ine simba. “Ndianiko pakati pavamwari akaita semi, imi Jehovha? Ndiani akaita semi, paumambo noutsvene, mukubwinya kunotyisa, anoita zvishamiso? Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi uye nyika ikavamedza. “Murudo rwenyu rusingaperi muchatungamirira vanhu vamakadzikinura. Musimba renyu imi muchavatungamirira kuugaro hwenyu hutsvene. Ndudzi dzichazvinzwa uye dzichadedera; kurwadziwa kuchabata vanhu vokuFiristia. Madzishe eEdhomu achavhundutswa, vatungamiri veMoabhu vachabatwa nokudedera, vanhu veKenani vachanyunguduka; kutya nokuvhunduka zvichavawira. Nesimba roruoko rwenyu vachanyarara kunge dombo, kusvikira vanhu venyu vapfuura, imi Jehovha, kusvikira vanhu vamakatenga vapfuura. Muchaenda navomo uye mugovasima pagomo renhaka yenyu, nzvimbo tsvene yakasimbiswa namaoko enyu, imi Jehovha. Jehovha achatonga nokusingaperi-peri.” Mabhiza aFaro, ngoro navatasvi vamabhiza vakapinda mugungwa, Jehovha akauyisa mvura yomugungwa pamusoro pavo, asi vaIsraeri vakafamba napakati pegungwa pavhu rakaoma. Ipapo Miriamu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora tambureni muruoko rwake, uye vakadzi vose vakamutevera, vana matambureni uye vachitamba. Miriamu akavaimbira akati: “Imbirai Jehovha, nokuti anokudzwa zvikuru kuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.” Ipapo Mozisi akatungamirira vaIsraeri kubva paGungwa Dzvuku uye vakapinda murenje reShuri. Vakafamba kwamazuva matatu murenje vachishayiwa mvura. Vakati vasvika paMara, havana kugona kunwa mvura yacho nokuti yaivava. (Ndokusaka nzvimbo yacho ichinzi Mara.) Saka vanhu vakapopotera Mozisi vachiti, “Tonweiko?” Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha, uye Jehovha akamuratidza danda. Akarikanda mumvura, uye mvura ikanaka. Jehovha akavaitirapo mutemo nomurayiro, uye akavaedza ipapo. Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.” Ipapo vakasvika paErimu, paiva namatsime gumi namaviri uye nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo pedyo nemvura. Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. VaIsraeri vakati kwavari, “Dai chete takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe uye vaunganidze zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira. Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pana mamwe mazuva.” Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti, uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti akanzwa kugunun'una kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko, zvamunotipopotera?” Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugunun'una kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.” Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’ ” Aroni achiri kutaura neungano yose yavaIsraeri vakatarisa kurenje uye vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore. Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ” Madekwana iwayo zvihuta zvakauya zvikafukidza musasa, uye mangwanani pakanga pane dova rakapoteredza musasa. Dova rakati rapera, mahwendefa matete akanga akaita samazaya echando akaonekwa pasi murenje. VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye. Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha achiti, ‘Mumwe nomumwe anofanira kuunganidza zvinomukwanira. Utorere munhu mumwe nomumwe waunaye mutende rako omeria rimwe chete.’ ” VaIsraeri vakaita sezvavakaudzwa; vamwe vakaunganidza zvakawanda, vamwe zvishoma. Uye pavakayera neomeri; uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira. Ipapo Mozisi akati kwavari, “Hakuna munhu anofanira kusara nezvimwe kusvikira mangwanani.” Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vavo havana kuteerera kuna Mozisi, vakachengeta zvimwe zvacho kusvikira mangwanani, asi zvakanga zvazara nehonye uye zvatanga kunhuwa. Saka Mozisi akavatsamwira. Mangwanani oga oga munhu mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira, uye zuva parakanga ropisa, zvakanyunguduka. Pazuva rechitanhatu, vakaunganidza zviyero zviviri, maomeri mavirib pamunhu mumwe nomumwe, uye vatungamiri veungano vakauya vakazivisa izvi kuna Mozisi. Iye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: ‘Mangwana izuva rokuzorora, Sabata dzvene kuna Jehovha. Saka bikai zvamunofanira kubika uye muvidze zvamunofanira kuvidza. Chengetai zvose zvinenge zvasara, mugozvichengeta kusvikira mangwanani.’ ” Saka vakazvichengeta kusvikira mangwanani, sezvavakarayirwa naMozisi, uye hazvina kunhuwa kana kuva namakonye mazviri. Mozisi akati, “Muzvidye iye nhasi, nokuti nhasi iSabata kuna Jehovha. Hamuzombowani chimwe chazvo pasi iye nhasi. Muzviunganidze kwamazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe, iSabata, hakuzombovi nechinhu.” Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vanhu vakabuda kundounganidza nezuva rechinomwe, asi havana chavakawana. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muchasvika riniko muchiramba kuchengeta mirayiro yangu nezvandakurayira? Rangarirai kuti Jehovha akakupai Sabata; ndokusaka pazuva rechitanhantu achikupai chingwa chamazuva maviri. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuramba agere paari ipapo pazuva rechinomwe; hakuna anobuda kunze.” Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe. Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa nouchi. Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Mutore omeri yemana mugoichengetera marudzi anotevera, kuti vagoona chingwa chandakakupai kuti mudye muri murenje pandakakubudisai kubva munyika yeIjipiti.’ ” Saka Mozisi akati kuna Aroni, “Tora mudziyo ugoisa omeri yemana imomo. Ipapo ugozviisa pamberi paJehovha kuti zvichengeterwe marudzi anotevera.” Sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi, Aroni akaisa mana pamberi peChipupuriro, kuti ichengetwepo. VaIsraeri vakadya mana kwamakore makumi mana, kusvikira vasvika kunyika yaiva navanhu; vakadya mana kusvikira vasvika pamuganhu weKenani. (Omeri ndiro chegumi cheefa.) Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paRenje reSini, vachifamba nzvimbo nenzvimbo sokurayira kwaJehovha. Vakadzika musasa paRefidhimi, asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. Saka vanhu vakakavadzana naMozisi uye vakati, “Tipe mvura tinwe.” Mozisi akapindura akati, “Seiko muchikakavadzana neni? Seiko muchiedza Jehovha?” Asi vanhu vakanga vane nyota yemvura ipapo, uye vakapopotedzana naMozisi. Vakati, “Seiko wakatibudisa muIjipiti kuti isu navana vedu nezvipfuwo zvedu tife nenyota?” Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Ndoiteiko navanhu ava? Votoda kunditaka namabwe.” Jehovha akapindura Mozisi akati, “Famba pamberi pavanhu. Tora vamwe vavakuru vavaIsraeri uye ubate muruoko rwako tsvimbo yawakarova nayo mvura yeNairi, ugoenda. Ndichamira ipapo pamberi pako padombo riri paHorebhi. Urove dombo, uye mvura ichabuda pariri, kuti vanhu vanwe.” Saka Mozisi akaita izvi pamberi pavakuru vavaIsraeri. Uye akatumidza nzvimbo iyi kuti Masa neMeribha nokuti vaIsraeri vakakavadzana naye uye nokuti vakaedza Jehovha vachiti, “Ko, Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?” VaAmareki vakuya vakarwa navaIsraeri paRefidhimu. Mozisi akati kuna Joshua, “Sarudza vamwe varume vokwedu ugobuda kundorwa navaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndine tsvimbo yaMwari mumaoko angu.” Saka Joshua akarwa navaAmareki sokurayirwa kwaakaitwa naMozisi, uye Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda. Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwena. Saka Joshua akakunda hondo yavaAmareki nomunondo. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora izvi mubhuku chive chinhu chingarangarirwa uye uve nechokwadi kuti Joshua azvinzwa, nokuti ndichabvisa chirangaridzo chose cheAmareki pasi pedenga.” Mozisi akavaka aritari akaitumidza kuti “Jehovha ndiye Mureza wangu.” Akati, “Nokuti maoko akasimudzirwa kumusoro kuchigaro choushe chaJehovha. Jehovha acharwa neAmareki kubva kumarudzi kusvika kumarudzi.” Zvino Jeturo, muprista weMidhiani uye ari tezvara waMozisi, akanzwa zvinhu zvose zvakaitirwa Mozisi naMwari uye nokuvanhu vake ivo vaIsraeri, uye kuti Jehovha akanga abudisa vaIsraeri sei kubva muIjipiti. Shure kwokunge Mozisi adzosera Zipora mukadzi wake, tezvara wake Jeturo akagamuchira Zipora navanakomana vake vaviri. Mumwe mwanakomana akatumidzwa kunzi Gerishomi nokuti akati, “Ndava mutorwa munyika yavamwe;” uye mumwe akatumidzwa kunzi Eriezeri, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu; akandiponesa kubva pamunondo waFaro.” Jeturo, tezvara waMozisi, pamwe chete navanakomana vaMozisi nomukadzi wake, vakauya kwaari kurenje, kwaakanga akadzika musasa pedyo negomo raMwari. Jeturo akanga atumira shoko kwaari achiti, “Ini, tezvara wako Jeturo, ndiri kuuya kwauri nomukadzi wako navanakomana vako vaviri.” Saka Mozisi akabuda kundochingamidza tezvara wake uye akakotama pasi akamutsvoda. Vakakwazisana ndokubva vapinda mutende. Mozisi akataurira tezvara wake zvinhu zvose zvakaitwa naJehovha kuna Faro nokuvaIjipita nokuda kwavaIsraeri, uyewo nokutambudzika kwavakasangana nako munzira, uye kuti Jehovha akavaponesa sei. Jeturo akafara kunzwa nezvezvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha, mukuvanunura kubva muruoko rwavaIjipita. Akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununura kubva muruoko rwavaIjipita norwaFaro, uye iye akanunura vanhu kubva muruoko rwavaIjipita. Zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwe vamwari vose, nokuti akaita izvi kuna avo vakabata vaIsraeri nokuzvikudza.” Ipapo Jeturo, tezvara waMozisi, akauya nechipiriso chinopiswa nezvimwewo zvibayiro kuna Mwari, uye Aroni akauya navakuru vose veIsraeri kuti vazodya chingwa pamwe chete natezvara waMozisi pamberi paMwari. Fume mangwana, Mozisi akagara pachigaro chake kuti ashande somutongi wavanhu, uye ivo vakamira vakamupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana. Tezvara wake akati aona zvose zvakanga zvichiitwa naMozisi kuvanhu, akati, “Chiiko ichi chauri kuitira vanhu? Seiko iwe uchitonga uri woga, asi vanhu vose ava vamire vakakupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana?” Mozisi akamupindura akati, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzotsvaka kuda kwaMwari. Pose pavanouya negakava vanouya kwandiri, uye ini ndotonga pakati pavo uye ndovazivisa mitemo nemirayiro yaMwari.” Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka. Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetsa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga. Nditeerere iye zvino uye ndichakupa zano, uye Mwari ngaave newe. Iwe unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye iwe ugouyisa magakava avo kwaari. Uvadzidzise mitemo uye mirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita. Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi. Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe. Kana uchiita izvi uye Mwari achikurayira, uchagona kutakura mutoro uyu, uye vanhu vose ava vachaenda kudzimba vagutsikana.” Mozisi akateerera tezvara wake akaita zvinhu zvose zvaakareva. Akasarudza varume vaikwanisa kubva pakati pavaIsraeri vose akavaita vatungamiriri vavanhu, akavaita vabati vezviuru, vabati vamazana, vabati vamakumi mashanu, navabati vegumi. Vakashanda savatongi vavanhu nguva dzose. Mhaka dzakaoma ndidzo dzavakauya nadzo kuna Mozisi, asi dzakareruka ndivo vaitonga ivo pachavo. Ipapo Mozisi akatendera tezvara wake kuti aende hake, uye Jeturo akadzokera kunyika yake. Mumwedzi wechitatu shure kwokunge vaIsraeri vabva kuIjipiti, pazuva racho iroro, vakasvika kuRenje reSinai. Shure kwokusimuka kwavo kubva paRefidhimu, vakapinda muRenje reSinai, uye vaIsraeri vakadzika misasa imomo murenje pamberi pegomo. Ipapo Mozisi akakwira kuna Mwari, uye Jehovha akadana kwaari ari mugomo akati, “Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuimba yaJakobho uye zvaunofanira kuudza vanhu veIsraeri: ‘Iwe pachako wakaona zvandakaita kuIjipiti, uye kuti ndakakutakurai sei pamapapiro egondo ndikakusvitsai kwandiri. Zvino kana muchinditeerera nomwoyo wose uye mukachengeta sungano yangu, ipapo muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose. Kunyange hazvo nyika yose iri yangu, muchava kwandiri umambo hwavaprista uye rudzi rutsvene.’ Aya ndiwo mashoko aunofanira kutaura kuvaIsraeri.” Saka Mozisi akadzokera akadana vakuru vavanhu uye akaisa pamberi pavo mashoko ose aakanga arayirwa naJehovha kuti ataure. Vanhu vose vakapindura pamwe chete vachiti, “Tichaita zvose zvakarehwa naJehovha.” Saka Mozisi akadzosera mhinduro yavo kuna Jehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndiri kuzouya kwauri ndiri mugore gobvu, kuitira kuti vanhu vagondinzwa ndichitaura newe uye vagoramba vachivimba newe.” Ipapo Mozisi akaudza Jehovha zvakanga zvarehwa navanhu. Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuvanhu undovanatsa nhasi namangwana. Uite kuti vashambidze nguo dzavo uye vange vagadzirira nezuva rechitatu, nokuti nezuva iroro Jehovha achaburuka paGomo reSinai pamberi pavanhu vose. Uisire vanhu miganhu yakapoteredza gomo ugovaudza kuti, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo kana kubata mujinga maro. Ani naani achabata gomo achaurayiwa, zvirokwazvo. Zvirokwazvo achatakwa namabwe kana kubayiwa nemiseve; hakuna ruoko ruchamubata. Angava munhu kana chipfuwo, haangatenderwi kurarama.’ Vangakwira havo kugomo kana bedzi hwamanda yorunyanga rwegondohwe yaramba ichirira.” Shure kwokuburuka kwaMozisi mugomo achienda kuvanhu, akavanatsa, uye ivo vakashambidza nguo dzavo. Ipapo akati kuvanhu, “Zvigadzirirei nezvezuva rechitatu. Murege kurara navakadzi venyu.” Panguva yamangwanani yezuva rechitatu pakava nokutinhira uye nemheni, negore gobvu rakafukidza gomo, uye kurira kukuru kwehwamanda. Munhu wose aiva mumisasa akadedera. Ipapo Mozisi akatungamirira vanhu vachibuda mumisasa kuti vandosangana naMwari, uye vakandomira mujinga megomo. Gomo reSinai rakanga rakafukidzwa noutsi, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakapfungaira huchikwira kumusoro soutsi hwakanga huchibva pavira romoto, gomo rose rakazungunuka nesimba guru, uye inzwi rehwamanda rakanyanya kurira nokurira kukuru. Ipapo Mozisi akataura uye inzwi raMwari rikamupindura. Jehovha akaburukira pamusoro peGomo reSinai uye akadana Mozisi kuti auye pamusoro pegomo. Saka Mozisi akakwirako uye Jehovha akati kwaari, “Buruka unoyambira vanhu kuti varege kumanikidzira kupinda kuti vandoona Jehovha vazhinji vavo vakazofa. Kunyange vaprista, vanoswedera kuna Jehovha, vanofanira kuzvinatsa, kuti Jehovha arege kuvaparadza.” Mozisi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangakwiri muGomo reSinai, nokuti imi pachenyu makatiyambira mukati, ‘Isai miganhu yakapoteredza gomo uye muritsaure kuti rive dzvene.’ ” Jehovha akapindura akati, “Buruka undotora Aroni ukwire naye kuno. Asi vaprista navanhu havafaniri kumanikidzira kusvika kuno kuna Jehovha, nokuti angavaparadza.” Saka Mozisi akaburuka akaenda kuvanhu akandovaudza. Uye Mwari akataura mashoko aya ose akati: “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti, munyika youranda. “Usava navamwe vamwari kunze kwangu. “Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga, asi ndicharatidza rudo kumarudzi ane chiuru, avo vanondida uye vanochengeta mirayiro yangu. “Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina nokuti Jehovha haazoregi kupa mhosva munhu upi zvake anoreva zita rake pasina. “Rangarira zuva reSabata kuti urichengete riri dzvene. Uchashanda mazuva matanhatu nokuita basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Pazuva iroro hamufaniri kuita basa ripi zvaro, iwe kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, murandarume wako kana murandakadzi wako, uye zvipfuwo zvako kana mutorwa ari mukati mamasuo ako. Nokuti mumazuva matanhatu Jehovha akaita matenga nenyika, gungwa, nezvose zviri mariri, asi akazorora nomusi wechinomwe. Naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva reSabata akariita dzvene. “Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. “Usauraya. “Usaita upombwe. “Usaba. “Usapupurira muvakidzani wako nhema. “Usachiva imba yomuvakidzani wako. Usachiva mukadzi womuvakidzani wako, kana murandarume wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chinhu chipi zvacho chomuvakidzani wako.” Vanhu vakati vaona mheni nomutinhiro uye vanzwa hwamanda, uye vaona gomo richipfungaira utsi, vakadedera nokutya. Vakagara vari chinhambwe vakati kuna Mozisi, “Taura iwe kwatiri uye tichakuteerera. Asi usarega Mwari achitaura nesu, kuti tirege kufa.” Mozisi akati kuvanhu, “Musatya. Mwari auya kuzokuedzai, kuitira kuti kutya Mwari kugova nemi, kuti murege kutadza.” Vanhu vakaramba vari chinhambwe, Mozisi paakanga achiswedera kurima gobvu kwakanga kuna Mwari. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri kuti, ‘Mazvionera pachenyu kuti ndataura kwamuri ndiri kudenga ndikati: Musaita vamwari vapi zvavo kunze kwangu; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vegoridhe. “ ‘Mundiitire aritari yevhu mugobayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa uye zvipiriso zvokuwadzana, makwai enyu, mbudzi dzenyu nemombe dzenyu. Pose pandichaita kuti zita rangu rikudzwe, ndichauya kwamuri ndigokuropafadzai. Kana muchindiitira aritari yamabwe, musaivaka namabwe akavezwa, nokuti mungazoisvibisa kana mukashandisa mbezo pairi. Uye musakwira kuaritari yangu namatanho, kuti kusasimira kwenyu kurege kuonekwa muri pairi.’ “Iyi ndiyo mirayiro yaunofanira kumisa pamberi pavo: “Kana ukatenga muranda wechiHebheru, anofanira kukushandira kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, anofanira kusunungurwa aende, asina chinhu chaanoripa. Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake. Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye akamuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi navana vake vachava vatenzi wake, uye murume chete ndiye achasunungurwa kuti aende hake. “Asi muranda akati, ‘Ndinoda tenzi wangu uye mukadzi wangu navana uye handisi kuda kusunungurwa,’ ipapo tenzi wake anofanira kuenda naye pamberi pavatongi. Achaenda naye pamukova kana pagwatidziro romukova agomubvoora nzeve yake norunji. Ipapo achava muranda wake kwoupenyu hwake hwose. “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave murandakadzi, iyeye haafaniri kusunungurwa kuti aende sezvinoita varandarume. Kana asingafadzi tenzi akamusarudza kuti ave wake, anofanira kumurega kuti adzikinurwe. Haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa, nokuti aputsa chitenderano naye. Kana akamusarudzira mwanakomana wake, anofanira kumupa kodzero dzomwanasikana. Kana akawana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvowokutanga, nguo kana kodzero dzokuwanikwa. Kana asingamupi zvinhu zvitatu izvi, anofanira kuenda akasununguka pasina kana mari yaanoripa. “Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa. Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura. Asi kana munhu akaronga uye akauraya mumwe munhu nobwoni, mumubvise paaritari yangu uye mumuuraye. “Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa. “Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa. “Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa. “Kana vanhu vakakakavadzana uye mumwe akarova mumwe nebwe kana nechibhakera chake uye akasafa asi akavata panhoo, munhu arova haazobatwi nemhosva kana mumwe wacho akamuka akafambafamba kunze nomudonzvo wake; kunyange zvakadaro hazvo, anofanira kuripa munhu akakuvara nokuda kwokurasikirwa kwake nenguva yake uye aone kuti apora zvachose. “Kana munhu akarova murandarume wake kana murandakadzi netsvimbo uye muranda akafa nokuda kwokurohwa, anofanira kurangwa, asi haafaniri kurangwa kana muranda akamuka shure kwezuva rimwe chete kana maviri, sezvo muranda ari mudziyo wake. “Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva. Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka, kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga. “Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake. Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake. “Kana hando ikatunga murume kana mukadzi akafa, hando iyoyo inofanira kutakwa namambwe kusvika yafa, uye nyama yayo haifaniri kudyiwa. Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa. Kunyange zvakadaro hazvo, kana pachidikanwa muripo unobva kwaari angadzikinura hake upenyu hwake nokuripa zvose zvazvo zvinodikanwa. Murayiro uyu unobatawo kana hando iyi yatunga mwanakomana kana mwanasikana. Kana hando ikatunga murandarume kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripa mashekeri esirivha makumi matatua kuna tenzi womuranda, uye hando inofanira kutakwa namabwe. “Kana munhu akafukunura gomba kana kuchera rimwe gomba uye akarega kurifusira uye nzombe kana mbongoro ikawira mariri, muridzi wegomba anofanira kuripa kurasikirwa uku; anofanira kuripira muridzi wayo, uye chipfuwo chafa chichava chake. “Kana hando yomumwe munhu ikakuvadza hando yomumwe uye ikafa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho uye vagogovana zvakaenzana mari yacho vari vaviri, uye nemombe yakafawo. Kunyange zvakadaro, kana zvakanga zvichizivikanwa kuti hando iyi yagara ine tsika yokutunga, asi muridzi akasaipfigira mudanga, muridzi anofanira kuripa chipfuwo nechipfuwo, uye chipfuwo chafa chichava chake. “Kana munhu akaba nzombe kana gwai uye akauraya kana kutengesa anofanira kuripa mombe shanu nokuda kwenzombe uye makwai mana pagwai rimwe chete. “Kana mbavha ikabatwa ichipaza uye ikarohwa ikafa, nyakudzivirira haana mhosva yokuteura ropa; asi kana zvikaitika shure kwokubuda kwezuva, anenge ane mhosva yokuteura ropa. “Mbavha inofanira kudzora zvayaba, asi kana asina chinhu, iye anofanira kutongeswa kuti aripe umbavha hwake. “Kana chipfuwo chakabiwa chikawanikwa chichiri chipenyu muruoko rwake, ingava nzombe kana mbongoro kana gwai, iye anofanira kuripa zvava zviviri. “Kana munhu akafudza zvipfuwo zvake mumunda kana mumunda womuzambiringa uye akarega zvipfuwo zvake zvichidya mumunda womunhu, anofanira kudzorera zvakaisvonaka zvinobva mumunda wake kana mumunda wake womuzambiringa. “Kana moto ukapfuta uye ukapararira muzvikwenzi zveminzwa zvokuti unopisa mirwi yezviyo kana zviyo zvimire, kana munda wose, munhu abatidza moto anofanira kudzorera nomuripo. “Kana munhu akapa muvakidzani wake sirivha kana zvinhu kuti achengete zvichibva zvabiwa kubva mumba momuvakidzani, mbavha yacho, kana ikabatwa, inofanira kuripa zvakapetwa kaviri. Asi kana mbavha isina kuwanikwa, muridzi wemba anofanira kumira pamberi pavatongi kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake pazvinhu zvomumwe munhu. Panyaya dzose dzokuchengeta zvisiri pamutemo, nzombe, mbongoro, gwai, nguo kana chimwewo zvacho chakarasika chinonzi nomumwe munhu, ‘Ndechangu ichi’, vaviri ava vanofanira kuuya nenyaya dzavo pamberi pavatongi. Munhu uyo achanzi ane mhosva navatongi anofanira kuripira muvakidzani wake zvakapetwa kaviri. “Kana munhu akapa mbongoro, nzombe, gwai kana chipfuwo chipi zvacho kumuvakidzani wake kuti achengete chichibva chafa kana kukuvara kana kutorwa pasina anozviona, nyaya iri pakati pavo inofanira kugadziriswa nokuita mhiko pamberi paJehovha yokuti muvakidzani haana kuisa maoko ake pazvinhu zvomumwe munhu. Muridzi anofanira kugamuchira izvi, uye hapana muripo unodikanwa apa. Asi kana chipfuwo chakabiwa kubva kumuvakidzani, iye anofanira kudzorera kumuridzi nomuripo. Kana chakabvarurwabvarurwa nechikara chesango, iye achauyisa zvakasara zvacho zvive umboo uye haazosungirwi kuripa chipfuwo chakabvamburwa. “Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye icho chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, iye anofanira kuripa. Asi kana muridzi ane chipfuwo chacho, akwereta haafaniri kuzoripa. Kana chipfuwo ichi changa chichiripirwa mari yokuchishandisa, mari yakaripwa yacho ndiyo inozozadzisa kurasikirwa kwake. “Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake. Kana baba vake vasingadi zvachose kuti vamupe kwaari, anofanira bedzi kubvisa roora rinobvisirwa mhandara. “Usatendera muroyikadzi kuti ararame. “Ani naani anoita chipfuwo mukadzi anofanira kuurayiwa. “Ani naani anobayira kuna mwari upi zvake kunze kwangu anofanira kuparadzwa. “Usabata mutorwa zvakaipa kana kumudzvinyirira, nokuti imi makanga muri vatorwa muIjipiti. “Musaitira zvakaipa chirikadzi nenherera. Kana mukaita izvozvo uye ivo vakachema kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kuchema kwavo. Kutsamwa kwangu kuchamuka, uye ndichakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi uye vana venyu vachava nherera. “Kana mukakweretesa mari kuno mumwe wavanhu vangu vari pakati penyu vanoshaya, musaita somunhu webasa rokukweretesa; musamuripisa yava nemhindu. Kana ukatora jasi romuvakidzani wako sechitsidzo, uridzorere kwaari zuva rodoka, nokuti jasi rake ndicho chifukidzo bedzi chaanacho chomuviri wake. Achavata akafukeiko. Paanochema kwandiri, ini ndichanzwa, nokuti ndine tsitsi. “Usamhura Mwari kana kutuka mutongi wavanhu vako. “Usarega kupa zvipiriso zvinobva mumatura ako kana muzvisviniro zvako. “Unofanira kundipa dangwe ravanakomana vako. Muite zvimwe chetezvo kumombe dzenyu nokumakwai enyu. Murege zvigare mazuva manomwe navanamai vazvo, asi muzvipe kwandiri pazuva rorusere. “Munofanira kuva vanhu vangu vatsvene. Saka musadya nyama yechipfuwo chakabvamburwa nezvikara zvesango, muikandire kumbwa. “Usaparadzira mashoko enhema. Usabatsira munhu akaipa nokuva chapupu chakaipa. “Usatevedzera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa. Paunopa umboo mudare redzimhosva, usaminamisa kururamisira uchienda kurutivi rworuzhinji, uye usatsaura munhu murombo pamhaka yake. “Kana ukaona nzombe yomuvengi wako kana mbongoro yake yarasika, ona kuti waidzosera kwaari. Kana ukaona mbongoro yomunhu anokuvenga yawira pasi nokuda kwokuremerwa, usaisiya ipapo; iva nechokwadi kuti wamubatsira pairi. “Usaramba kururamisira varombo vavanhu vokwako pamatare edzimhosva. Usava nechokuita nokupomerwa kwemhosva yenhema uye usatongera rufu munhu asina mhosva, kana munhu akatendeka, nokuti ini handizopembedzi munhu ane mhosva. “Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vaya vanoona uye inomonyorora mashoko owakarurama. “Musadzvinyirira mutorwa; imi pachenyu munoziva kuti zvakaita sei kuva mutorwa, nokuti makanga muri vatorwa muIjipiti. “Makore matanhatu munofanira kudyara minda yenyu mugokohwa zvirimwa, asi pagore rechinomwe nyika ngairege kurimwa kana kushandiswa. Ipapo varombo vari pakati pavanhu venyu vangawanawo zvokudya kubva mairi, uye zvikara zvesango zvigodya zvavanenge vasiya. Muitewo zvimwe chetezvo kuminda yenyu yemizambiringa neyemiorivhi. “Muite basa renyu mazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe musashanda, kuitira kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore uye nhapwa yakaberekerwa mumba mako, nomutorwa, vazororewo. “Muchenjerere kuti muite zvose zvandakareva kwamuri. Musareva mazita avamwe vamwari; ngaarege kunzwikwa pamiromo yenyu. “Katatu pagore munofanira kepemberera mutambo kwandiri. “Mupemberere Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso; mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso, sezvandakakurayirai. Muite izvi panguva dzakatarwa mumwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi iwoyo ndipo pamakabuda kubva muIjipiti. “Hakuna munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu. “Mupemberere Mutambo woKukohwa nezvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvamakadyara muminda yenyu. “Mupemberere Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore, pamunounganidza zvirimwa zvenyu kubva mumunda. “Vamwe vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha katatu pagore. “Musapa ropa rechibayiro kwandiri pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso. “Mafuta ezvipiriso zvangu zvomutambo haafaniri kuchengetwa kusvikira mangwana mangwanani. “Muuye nezvakanakisisa zvezvibereko zvokutanga zvevhu renyu kuimba yaJehovha Mwari wenyu. “Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo. “Tarirai, ndiri kutumira mutumwa pamberi penyu kuti akuchengetei munzira uye kuti akusvitsei kunzvimbo yandakakugadzirirai. Murerekere nzeve dzenyu kwaari mugoteerera zvaanoreva. Musamumukira; iye haangazoregereri kumukira kwenyu, sezvo Zita rangu riri maari. Kana mukanyatsoteerera kune zvaanoreva nokuita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi kuvavengi venyu uye ndichapikisa avo vanokupikisai. Mutumwa wangu achakutungamirirai uye agokupinzai munyika yavaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaKenani, vaHivhi navaJebhusi, uye ndichavapedza chose. Musapfugamira vamwari vavo kana kuvanamata kana kuwadzana namabasa avo. Munofanira kuvaparadza uye mugoputsa matombo avo anoyera. Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu, uye hakuna achabva pamuviri kana asingabereki munyika yenyu. Ndichakupai upenyu huzere. “Ndichatuma kuvhundutsa kwangu pamberi penyu uye ndichauyisa nyonganiso pamusoro pendudzi dzose dzamunosangana nadzo. Ndichaita kuti vavengi venyu vose vatendeuke. Vagotiza. Ndichatuma mago pamberi penyu kuti adzinge vaHivhi, vaKenani navaHiti kuti vabve munzira yenyu. Asi handizovadzingi mugore rimwe chete, nokuti nyika ingazoita sango uye mhuka dzesango dzikakuwandirai. Ndichavabvisa pamberi penyu zvishoma zvishoma, kusvikira manyatsowanda kuti mutore nyika. “Ndichasimbisa miganhu yenyu kubva kuGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFiristia, uye kubva kuRenje kusvikira kuRwizi. Ndichaisa mumaoko enyu vanhu vagere munyika iyi uye imi muchavadzinga pamberi penyu. Musaita sungano navo kana navamwari vavo. Musavatendera kuti vagare munyika yenyu kuti varege kukuitai kuti munditadzire, nokuti kunamata vamwari vavo kuchava musungo kwamuri zvirokwazvo.” Ipapo Iye akati kuna Mozisi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhu naAbhihu, navakuru vavaIsraeri makumi manomwe. Munamate muri chinhambwe, asi Mozisi oga ndiye anofanira kuswedera kuna Jehovha; vamwe havafaniri kuswedera pedyo. Uye vanhu havangakwiri naye.” Mozisi akati aenda kundoudza vanhu mashoko ose nemirayiro yose yaJehovha, ivo vakati nenzwi rimwe chete, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha.” Ipapo Mozisi akanyora zvinhu zvose zvakanga zvarehwa naJehovha. Akamuka mangwana acho mangwanani akavaka aritari mujinga megomo uye akamisa mbiru dzamabwe gumi nembiri dzichimirira marudzi gumi namaviri avaIsraeri. Ipapo akatuma majaya avaIsraeri, uye vakapa zvipiriso zvinopiswa uye vakabayira hando duku sezvipiriso zvokuwadzana kuna Jehovha. Mozisi akatora hafu yeropa akariisa mumidziyo, uye imwe hafu akaisasa paaritari. Ipapo akatora Bhuku reSungano akariverengera vanhu. Ivo vakati, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha; tichazviteerera.” Ipapo Mozisi akatora ropa, akarisasa pamusoro pavanhu uye akati, “Iri iropa resungano yaitwa naJehovha nemi maererano namashoko aya ose.” Mozisi naAroni, Nadhabhu naAbhihu uye navakuru makumi manomwe vavaIsraeri vakakwira uye vakaona Mwari waIsraeri. Pasi petsoka dzake pakanga pane chimwe chinhu chakaita sechivakwa chesafiri, chakanga chichionekwa sedenga pacharo. Asi Mwari haana kusimudza ruoko rwake pamusoro pavatungamiri vavaIsraeri ava; vakaona Mwari, uye vakadya vakanwa. Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo uye ugare pano, uye ndichakupa mahwendefa amabwe, ane mirayiro nemitemo zvandanyora kuti varayirwe.” Ipapo Mozisi akasimuka naJoshua mubatsiri wake, uye Mozisi akakwira mugomo raMwari. Akati kuvakuru, “Timirirei pano kusvikira tadzoka kwamuri. Aroni naHuri vanemi, uye ani naani zvake anopesana nomumwe anogona kuenda kwavari.” Mozisi akati akwira mugomo, gore rakarifukidza, uye kubwinya kwaJehovha kwakagara pamusoro peGomo reSinai. Gore rakafukidza gomo iro kwamazuva matanhatu, uye pazuva rechinomwe, Jehovha akadana Mozisi ari mukati megore. KuvaIsraeri, kubwinya kwaJehovha kwaitaridzika somoto unoparadza uri pamusoro pegomo. Ipapo akapinda mugore paakanga achikwira mugomo. Uye akagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana. Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape. Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari: goridhe, sirivha, ndarira; wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka; makushe embudzi; matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuakasia; mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuwira zvemafuta okuzodza anonhuwira uye nezvimwe zvinonhuwira; mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva. “Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo. Muite tabhenakeri iyi nemidziyo yayo yose nomufananidzo wandichakuratidza. “Uite kuti vaite bhokisi ramatanda omuakasia, rakareba makubhiti maviri nehafua, upamhi kubhiti nehafub, uye kubhiti nehafu pakukwira. Murifukidze negoridhe rakaisvonaka, mukati nokunze, uye muite hata yegoridhe yakaripoteredza. Muiumbire mhete dzegoridhe mugodzisungira pamakumbo aro mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye mhete mbiri kuno rumwe rutivi. Ipapo mugoita matanda omuakasia uye negoridhe. Muise matanda aya mukati memhete dziri parutivi rwebhokisi kuti mutakure bhokisi nawo. Matanda anofanira kugara ari mumhete dzebhokisi iri; haafaniri kubviswa. Ipapo mugoisa muareka chipupuriro, chandichakupai. “Muite chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafuc pakureba uye kubhiti nehafud paupamhi. Uye muite makerubhi maviri egoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro. Muite kerubhi rimwe chete kuno rumwe rutivi uye kerubhi rechipiri kuno rumwe rutivi; muite bandi rimwe chete rekerubhi nechifukidzo, pamativi maviri. Mapapiro amakerubhi anofanira kutambanudzirwa kumusoro, akafukidzira chifunhiro. Makerubhi anofanira kutarisana, akatarira kuchifunhiro. Muise chifunhiro pamusoro peareka uye mugoisa muareka, Chipupuriro chandichakupai. Ipapo, pamusoro pechifunhiro chiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro, ndichasangana newe ndigokupa mirayiro yangu yose yavaIsraeri. “Uite tafura namatanda omuakasia yakareba makubhiti mavirie, kubhiti rimwe chetef paupamhi uye kubhiti nehafug pakukwirira. Muifukidzire negoridhe rakaisvonaka uye mugoipoteredza nezvakaumbwa zvegoridhe. Uyewo uite vhiri rinoipoteredza rino upamhi hwakaita sechanza choruokoh ugoisa goridhe rakaumbwa pamusoro pevhiri. Uite mhete ina dzegoridhe dzetafura ugodzisungira kumakona mana, pane makumbo ayo. Mhete idzi dzinofanira kuva pedyo nevhiri kuti dzibate matanda anoshandiswa kutakura tafura. Uite matanda omuakasia, uafukidze negoridhe uye mugotakura tafura nawo. Uye uite ndiro dzayo namadhishi negoridhe rakaisvonaka, uyewo namatende ayo nembiya dzokudirisa zvipiriso. Uise chingwa choKuvapo patafura iyi kuti chive pamberi pangu nguva dzose. “Uite chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye ugoipambadzira pasi payo pamwe chete nerwiriko rwayo; mbiya dzayo, mabukira namaruva acho zvichava chinhu chimwe chete nacho. Matavi matanhatu anofanira kutambarara achibva mumativi echigadziko chomwenje, matatu kuno rumwe rutivi uye matatu kuno rumwezve. Mikombe mitatu yakaumbwa samaruva omuarimondi namabukira uye namaruva zvinofanira kuva padavi rimwe chete, matatu kune rimwe davi, uye zvimwe chetezvo kumativi matanhatu ose anotambarara kubva pachigadziko chomwenje. Uye pachigadziko chomwenje panofanira kuva nemikombe mina yakaumbwa samaruva omuarimondi ane mabukira namaruva. Bukira rimwe chete richava pasi pamatavi maviri okutanga anotambarara kubva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri riri pasi pamamwe matavi maviri, uye bukira rechitatu riri pasi pamamwezve pamatavi maviri, mativi ose ari matanhatu. Mabukira namatavi achava ebandi rimwe chete nechigadziko chomwenje, negoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa. “Ipapo ugoita mwenje yacho minomwe uye ugoigadzika pamusoro pacho kuitira kuti zvigovhenekera nzvimbo iri mberi kwacho. Mbato dzacho nendiro dzacho zvinofanira kuva zvegoridhe rakaisvonaka. Tarendai regoridhe rakaisvonaka rinofanira kushandiswa pachigadziko chomwenje nemimwe midziyo yose iyi. Uone kuti wazviita zvichienderana nomufananidzo wawakaratidzwa pagomo. “Uite tabhenakeri namachira gumi omucheka wakarukwa wakaisvonaka, nowebhuruu, pepuru nomutsvuku, namakerubhi akasonerwa mairi nemhizha dzamabasa amaoko. Machira ose anofanira kuva akaenzana, akareba makubhiti makumi maviri namaserea uye makubiti manab paupamhi. Ubatanidze machira mashanu pamwe chete, ugoita zvimwe chetezvo namamwe mashanu. Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wejira zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nejira rokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa. Uite zvishwe makumi mashanu pajira rimwe chete uye makumi mashanu ezvishwe pamucheto wejira rezvimwe zvakabatanidzwa, zvishwe zvitarisane chimwe nechimwe. Ipapo ugoita zvikoreko zvegoridhe makumi mashanu uye uzvishandise kubatanidza machira pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe. “Uite machira amakushe embudzi etende riri pamusoro petabhenakeri, ose ave gumi nerimwe pamwe chete. Machira ose ari gumi nerimwe anofanira kuenzana, makubhiti makumi matatuc pakureba uye makubhiti manad paupamhi. Ubatanidze machira mashanu pamwe chete aite chinhu chimwe chete uye mamwe matanhatu avewo chinhu chimwe chete. Upete jira rechitanhatu kaviri pamberi petende. Uite zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokumucheto zvakabatanidzwa uyewo pamupendero wejira rokumucheto kwamamwe akabatanidzwa. Ipapo ugoita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu ugozviisa muzvishwe kuti zvibatanidze tende pamwe chete chigova chinhu chimwe chete. Kana zviri zvokuwedzera urefu hwamachira etende, hafu yejira inenge yasara inofanira kurembera necheshure kwetabhenakeri. Machira etende anofanira kurebesa nekubhiti rimwe chetee pamativi ose ari maviri; anenge asara anofanira kurembera pamativi etabhenakeri kuti agoifukidza. Uite chifukidzo chetende chamatehwe amakondohwe akapendwa nezvitsvuku, uye pamusoro paizvozvo chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa. “Uitire tabhenakeri mapuranga akati twi amatanda omuakasia. Puranga rimwe nerimwe rinofanira kureba makubhiti gumif uye kubhiti nehafug paupamhi, nembamba mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Uite mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyoyi. Uite mapuranga makumi maviri okurutivi rwezasi rwetabhenakeri uye uite zvigadzika zvesirivha makumi mana kuti zvive pasi pawo, zvigadziko zviviri papuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe. Kuno rumwe rutivi, rwokumusoro kwetabhenakeri, uite mapuranga makumi maviri, uye zvigadziko zvesirivha makumi mana. Zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. Uite mapuranga matanhatu kurutivi rwokumucheto cheto, ndiko kumavirira etabhenakeri, uye uite mapuranga maviri amakona okumucheto cheto. Pamakona maviri aya, anofanira kuva maviri maviri kubva pasi kusvikira kumusoro, uye agadzikwe mumhete imwe chete; ose ari maviri ngaava saizvozvo. Saka pachava namapuranga masere uye zvigadziko zvesirivha gumi nezvitanhatu, zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. “Uyewo uite mbariro dzamatanda omuakasia: shanu dzamapuranga okuno rumwe rutivi rwetabhenakeri, shanu dzaaya ari pano rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga okumavirira, kumucheto cheto kwetabhenakeri. Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga. Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe. “Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo. “Uite jira rebhuruu, nerepepuru nedzvuku nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, namakerubhi akasonerwapo nemhizha yokusona. Urirembedze nezvikorekedzo zvegoridhe pamatanda mana omuakasia akafukidzwa negoridhe uye amire pamusoro pezvigadziko zvina zvesirivha. Urembedze jira pazvikorekedzo uye ugoisa areka yeChipupuriro shure kwechidzitiro. Chidzitiro ichi chichaparadzanisa NZVIMBO TSVENE neNZVIMBO TSVENE-TSVENE. Uise chifukidziro chokuyananisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri muNZVIMBO TSVENE-TSVENE. Uise tafura kunze kwechidzitiro nechokumusoro kwetabhenakeri ugogadzika chigadziko chomwenje chakatarisana nayo nechezasi. “Pamukova wokupinda mutende uite chidzitiro chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romusoni anogona. Uite zvikorekedzo zvegoridhe zvechidzitiro ichi uye matanda mashanu omuakasia akafukidzwa negoridhe. Uye uaumbire zvigadziko zvishanu zvendarira. “Uvake aritari yamatanda omuakasia, makubhiti matatua pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanub uye upamhi hwayo makubhiti mashanu. Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira. Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo kuti dzibvise madota, uye foshoro dzayo, mbiya dzokusasa nadzo, zvibayiso zvenyama uye makango apamoto. Uyiitire chiparo, mumbure, ndarira, uye ugoita mhete yendarira pakona imwe neimwe yomumbure. Uchiise pasi pechitsiko chearitari kuitira kuti chive pakati nepakati pearitari. Uitire aritari matanda omuakasia uye ugoafukidza nendarira. Matanda aya anofanira kupinzwa mukati memhete kuti agova kumativi maviri earitari painenge yotakurwa. Uite aritari namapuranga, isina chinhu mukati mayo. Inofanira kugadzirwa sokuratidzwa kwawakaitwa pagomo. “Uitire tabhenakeri ruvazhe. Rutivi rwezasi runofanira kureba makubhiti zanac uye runofanira kuva namachira akarembedzwa omucheka wakarukwa wakaisvonaka, namatanda makumi maviri uye zvigadziko zvendarira makumi maviri uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda. Rutivi rwokumusoro rucharebawo makubhiti zana uye runofanira kuva namachira akarembedzwa, namatanda makumi maviri, nezvigadziko zvendarira makumi maviri, uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda. “Kumucheto kworuvazhe, nechokumavirira, kunofanira kuva noupamhi hwamakubhiti makumi mashanud uye machira akarembedzwa, namatanda gumi uye zvigadziko gumi. Kumucheto nechokumabvazuva kwakatarisana nokunobuda nezuva, upamhi hworuvazhe hunofanira kuva makubhiti makumi mashanu. Machira akareba makubhiti gumi namashanue anofanira kuva kuno rumwe rutivi rwomukova, namatanda matatu nezvigadziko zvitatu, uye mamwe machira akareba makubhiti gumi namashanu ngaavewo kuno rumwe rutivi, namatanda matatu nezvigadziko zvitatuwo. “Pamukova wokupinda muruvazhe, uise chidzitiro chakareba makubhiti makumi mavirif, chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina. Matanda ose akapoteredza ruvazhe anofanira kuva nezvisungiso zvesirivha nezvikorekedzo, uye zvigadziko zvendarira. Ruvazhe ruchareba makubhiti zanag uye makubhiti makumi mashanuh paupamhi, namachira emicheka yakarukwa yakaisvonaka yakareba makubhiti mashanui, uye nezvigadziko zvendarira. Mimwe midziyo inoshandiswa paushumiri hwetabhenakeri, ringava basa ripi zvaro, kusanganisira mbambo dzose dzetende neiya yomuruvazhe, inofanira kuva yendarira. “Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta. MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokumarudzi anotevera. “Uite kuti Aroni mukoma wako pamwe chete navanakomana vake vanoti Nadhabhu naAbhihu, Ereazari naItamari vauyiswe kwandiri kubva pakati pavaIsraeri kuti vandishumire savaprista. Uitire mukoma wako nguo tsvene, kuti apiwe ruremekedzo uye kukudzwa. Utaurire varume voumhizha vose vandakapa uchenjeri hwokuita zvakadaro kuti vanofanira kusonera Aroni nguo, dzokutsaurwa kwake, kuti agondishumira somuprista. Idzi ndidzo nguo dzavanofanira kuita: chidzitiro chapa chipfuva, efodhi, jasi, nenguo yakarukwa, nengowani uye ndaza. Vanofanira kuitira mukoma wako Aroni navanakomana vake, nguo tsvene idzi. Uvaite kuti vashandise wuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakaisvonaka. “Vaite efodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romunhu ano umhizha. Ngaive namapenga maviri apamapfudzi akabatanidzwa pamakona ayo maviri, kuitira kuti igogona kubatanidzwa. Bhanire rayo rakarukwa noumhizha rinofanira kufanana nayo, rive rebenga rimwe chete neefodhi uye rakagadzirwa newuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. “Utore mabwe maviri eonikisi ugonyora runyoro rwakatemwa pamusoro pawo mazita avanakomana vaIsraeri zvichienderana nokuberekwa kwavo, mazita matanhatu padombo rimwe chete uye mamwe matanhatu asara anyorwe pane rimwe dombo. Nyora mazita avanakomana vaIsraeri pamatombo maviri nenzira inoitwa nomuvezi wamatombo achitema runyoro pachisimbiso. Ipapo ugoamisa muzvirukwa zvegoridhe uye ugoasungirira pamapenga apapfudzi eefodhi ave matombo echirangaridzo kuvana vaIsraeri. Aroni anofanira kutakura mazita aya pamapfudzi ake chive chirangaridzo pamberi paJehovha. Uite zvirukwa zvegoridhe uye ngeketani mbiri dzakarukwa setambo negoridhe rakaisvonaka, ugobatanidza ngeketani nezvirukwa. “Uite chidzitiro chapachipfuva chokutanga, basa romunhu woumhizha. Uchiite chifanane neefodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye mucheka wakaisvonaka wakarukwa. Ngachienzane mativi ose ari mana, kureba kwacho sechanza choruokoa uye upamhi hwakaita sechanza choruoko, uye chipetwe kaviri. Ipapo uronge mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga muchava nerubhi, netopazi uye bheriri; mumutsara wechipiri muchava neturikoisi, safire neemaradhi; mumutsara wechitatu muchava nejasindi, agati uye ameneametisiti; mumutsara wechina muchava nekirisoriti, onekisi uye nejasipa. Uaise muzvirukwa zvegoridhe. Panofanira kuva namatombo gumi namaviri, rimwe chete richimirira zita rimwe nerimwe ravanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakatemwa runyoro padombo sezvinoita chisimbiso chezita romumwe wavamarudzi gumi namaviri. “Uite ngetani dzechidzitiro chapachipfuva dzakarukwa negoridhe rakaisvonaka, uzvimone setambo. Uite mhete mbiri dzegoridhe ugodzisungirira pamakona maviri echidzitiro chapachipfuva. Usungirire ngetani mbiri dzegoridhe pamhete dziri pamakona echidzitiro chapachipfuva, nemimwe micheto yengetani inoenda kuzvirukwa zviviri uchizvibatanidza, kuzvipenga zvapamapfudzi zveefodhi nechokumberi. Uite mhete mbiri dzegoridhe ugodzibatanidza kuna mamwe makona echidzitiro chapachipfuva pamupendero wechomukati kunotevererana neefodhi. Uitezve dzimwe mhete dzegoridhe ugodzibatanidza pasi pemapenga apamapfudzi nechokumberi kweefodhi, pedyo nomusono uri nechapamusoro pebhanire romuchiuno reefodhi. Mhete dzepachidzitiro chechipfuva dzinofanira kusungirirwa pamhete dzeefodhi netambo yebhuruu, dzichibatanidzwa nebhanire romuchiuno, kuitira kuti chidzitiro chapachipfuva chirege kubva paefodhi. “Nguva dzose Aroni paanenge achipinda muNzvimbo Tsvene, achange akatakura mazita avanakomana vaIsraeri pamwoyo wake pachidzitiro chechipfuva chokutanga sechirangaridzo chenguva dzose pamberi paJehovha. Uyezve uise Urimi neTumimi muchidzitiro chechipfuva, kuitira kuti vagare vari pamwoyo waAroni pose paanenge achipinda pamberi paJehovha. Nokudaro Aroni acharamba akatakura zvinhu zvokutonga nazvo vaIsraeri pamwoyo wake pamberi paJehovha. “Uite jasi rose zvaro reefodhi nomucheka webhuruu, neburi romusoro pakati paro. Panofanira kuzova nomupendero wakarukwa wakaita sekora unopoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka. Uite matambo ewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku akapoteredza mupendero wejasi, namatare egoridhe pakati pawo. Matare egoridhe namatamba zvinofanira kukayana zvichipoteredza mupendero wejasi. Aroni anofanira kuripfeka paanenge achishumira. Kurira kwamatare kuchanzwikwa paanenge achipinda muNzvimbo Tsvene pamberi paJehovha uye nepaanenge achibuda, kuitira kuti arege kufa. “Uite ndiro yegoridhe ugotema runyoro pairi sezvinoitwa pachisimbiso kuti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA. Usungire tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani; inofanira kuva mberi kwenguwani. Ichava pahuma yaAroni, uye iye achatakura mhosva dzingava pazvipo zvitsvene zvinotsaurwa navaIsraeri, zvingava zvipo zvipi hazvo. Zvichava pahuma yaAroni nguva dzose kuitira kuti zvigamuchirwe naJehovha. “Uruke jasi romucheka wakaisvonaka ugoita nguwani yomucheka wakaisvonaka. Ndaza inofanira kuva basa romuruki. Uite majasi, ndaza namabhanire omumusoro avanakomana vaAroni, kuti vapiwe ruremekedzo nokukudzwa. Shure kwokunge wapfekedza mukoma wako Aroni navanakomana vake, uvazodze uye ugovagadza. Uvatsaure kuti vagondishumira savaprista. “Uite nguo dzapasi dzomucheka dzive chifukidzo chomuviri, dzinobva muchiuno kusvikira kumabvi. Aroni navanakomana vake vanofanira kudzipfeka pose pavanenge vachipinda muTende roKusangana kana kuswedera paaritari kuti vashumire vari muNzvimbo Tsvene, kuitira kuti varege kuva nemhosva vakafa. “Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvanatse, kuti vandishumire savaprista: Utore hando duku namakondohwe maviri asina chaanopomerwa. Uye ubike chingwa noupfu hwakatsetseka hwegorosi, husina mbiriso, uye ubike makeke akavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta. Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwe chete nehando uye makondohwe maviri. Ipapo ugouya naAroni navanakomana vake kumukova nokupinda navo kuTende Rokusangana ugovashambidza nemvura. Tora hanzu ugopfekedza Aroni jasi, nguo yeefodhi neefodhi pachayo uye nechidzitiro chapachipfuva. Usungire efodhi paari nebhanire romuchiuno rakarukwa nounyanzvi. Uise nguwani pamusoro wake uye ugoibatanidza nekorona tsvene. Utore mafuta okuzodza ugomuzodza uchiita zvokuadira pamusoro pake. Uye vanakomana vake ugovapfekedza majasi uye ugoisa mabhanire omumusoro pamusoro pavo. Ipapo ugosungira ndaza pana Aroni navanakomana vake. Uprista ndohwavo nomutemo usingaperi. Nenzira iyi uchagadza Aroni navanakomana vake. “Uuye nehando pamberi peTende Rokusangana, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro payo. Uiuraye pamberi pomukova wokupinda kuTende Rokusangana. Utore rimwe reropa rehando ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, uye ugodira rasara racho pahwaro hwearitari. Ipapo ugotora mafuta ose akapoteredza zvomukati, zvinoti chiropa, neitsvo dziri mbiri namafuta ari pamusoro padzo, ugoapisa pamusoro pearitari. Asi upise nyama yehando nedehwe rayo namazvizvi ayo kunze kwomusasa. Ndicho chipiriso chechivi. “Utore rimwe regondohwe, uye Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro paro. Uriuraye ugotora ropa raro urisase pamativi ose earitari. Ucheke gondohwe kuita muzvidimbu zvidimbu uye ugosuka zvomukati, uye makumbo, uchiaisa pamwe chete nomusoro nezvimwe zvidimbu. Ipapo ugopisa gondohwe rose paaritari. Ndicho chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. “Utore rimwe gondohwe, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro waro. Uriuraye, utore rimwe ropa raro ugoriisa pamucheto wenzeve dzorudyi dzavanakomana vaAroni, napazvigunwe zvikuru zvamaoko avo orudyi, nokuzvigunwe zvikuru zvokutsoka dzavo dzorudyi. Ipapo ugosasa ropa pamativi ose earitari. Uye ugotora rimwe ropa riri paaritari namamwe mafuta okuzodza usase pana Aroni napanguo dzake uye napavanakomana vake napanguo dzavo. Ipapo iye navanakomana vake nenguo dzavo vachanatswa. “Utore pagondohwe iri mafuta, mafuta apamuswe, mafuta akapoteredza zvomukati, akafukidza chiropa, itsvo dzose dziri mbiri namafuta ari padziri, uye nechidya chokurudyi. (Iri ndiro gondohwe rokugadzwa.) Kubva padengu rechingwa chakabikwa chisina mbiriso, chiri pamberi paJehovha, utore chimwe chete, nekeke rakavhenganiswa namafuta, uye nechingwa chitete. Uise izvi zvose mumaoko aAroni navanakomana vake ugozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira. Ipapo uzvitore kubva mumaoko avo ugozvipisa paaritari pamwe chete nechipiriso chinopiswa chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Shure kwokunge watora chityu chegondohwe rokugadzwa kwaAroni, uchininire pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira uye chichava mugove wako. “Unatse mitezo iyo yegondohwe rokugadza raAroni navanakomana vake: chityu chakaninirwa uye chakakumikidzwa. Uyu unofanira kuva mugove wenguva dzose unobva kuvaIsraeri, waAroni navanakomana vake. Uyu ndiwo mugove unofanira kupiwa navaIsraeri kuna Jehovha kubva pazvipiriso zvavo zvokuwadzana. “Nguo tsvene dzaAroni dzichava dzezvizvarwa zvake kuitira kuti vazodzwe uye vagogadzwa vakadzipfeka. Mwanakomana wake achamutevera pauprista uye anouya kuTende Rokusangana kuti azoshumira ari muNzvimbo Tsvene, anofanira kudzipfeka kwamazuva manomwe. “Utore gondohwe rokugadzwa ugobika nyama yaro munzvimbo tsvene. Aroni navanakomana vake vanofanira kudya nyama yegondohwe uye nechingwa chiri mudengu vari pamukova wokupinda paTende Rokusangana. Vanofanira kudya zvipiriso izvi zvavakaitirwa yananiso yokugadzwa kwavo uye nokunatswa kwavo nazvo. Asi hakuna mumwe munhu anofanira kuzvidya nokuti zvitsvene. Uye kana pakava nenyama yegondohwe rokungadzwa inosara kana chingwa chipi zvacho chinosara kusvikira mangwana mangwanani muzvipise. Hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene. “Uitire Aroni navanakomana vake zvinhu zvose zvandakakurayira, uchitora mazuva manomwe okuvagadza. Ubayire hando zuva rimwe nerimwe sechipiriso chechivi chive chokuyananisa. Unatse aritari nokuiitira yananiso, uye ugoizodza kuti uiite tsvene. Mazuva manomwe uyananisire aritari uye uinatse. Ipapo aritari ichava tsvene-tsvene, uye chose chichaigunzva chichava chitsvene. “Izvi ndizvo zvaunofanira kupa paaritari nguva dzose zuva rimwe nerimwe: makwayana maviri egore rimwe chete. Ubayire rimwe chete mangwanani uye rimwe chete madekwana. Negwayana rokutanga ubayire nechegumi cheefaa choupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvina chehinib chamafuta akabva mumaorivhi akasvinwa, uye chikamu chimwe chete kubva muzvina chehini yewaini chive chipiriso chinonwiwa. Ubayire rimwe gwayana madekwana pamwe chete nechipiriso chimwe chetecho chezviyo nechipiriso chacho chinonwiwa sechamangwanani, chive chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto. “Chipiriso chinopiswa ichi chinofanira kuitwa nguva dzose pamukova weTende Rokusangana pamberi paJehovha kumarudzi ose. Ipapo ndipo pandichasangana newe uye ndigotaura kwauri, ndipozve pandichasangana navaIsraeri, uye nzvimbo iyi ichatsaurwa nokubwinya kwangu. “Saka ndichatsaura Tende Rokusangana nearitari uye ndichatsaura Aroni navanakomana vake kuti vandishumire savaprista. Ipapo ndichagara pakati pavaIsraeri uye ndigova Mwari wavo. Vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, akavabudisa kubva muIjipiti kuitira kuti ndigogara pakati pavo. Ndini Jehovha Mwari wavo. “Uite aritari yokupirisa zvinonhuwira namatanda omuakasia. Inofanira kuenzana mativi ayo ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chetea uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kukwirira kwayo makubhiti mavirib, nyanga dzayo dzive chinhu chimwe chete nayo. Ufukidze pamusoro payo namativi ose uye nenyanga dzayo negoridhe rakaisvonaka, uye uite hata mbiri kumativi akatarisana. Kuti dzibate mapango anoshandiswa kuitakura. Uite mapango aya nomuti womuakasia uye uafukidze negoridhe. Uise aritari mberi kwechidzitiro chiri pamberi peareka yeChipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe. “Aroni anofanira kupisa zvinonhuwira pamusoro pearitari mangwanani oga oga paanogadzira mwenje. Anofanira kupisazve zvinonhuwira paanenge achitungidza mwenje madekwana saka zvinonhuwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kumarudzi anotevera. Musapisira pamusoro pearitari iyi zvimwewo zvazvo zvinonhuwira kana zvipiriso zvipi zvazvo zvinopiswa kana zvipiriso zvezviyo, uye musadururire chipiriso chinonwiwa pamusoro payo. Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kumarudzi anotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Paunoverenga vaIsraeri kuti uvanyore, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwoupenyu hwake panguva yaanoverengwa. Ipapo hapana denda richazouya pamusoro pavo paunovaverenga. Mumwe nomumwe anoyambukira kuna avo vatoverengwa anofanira kupa hafu yeshekeric, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. Hafu yeshekeri iyi chipiriso kuna Jehovha. Vose vanoyambuka, vaya vana makore makumi maviri kana avo vapfuura, vanofanira kupa chipiriso kuna Jehovha. Vapfumi havafaniri kupa zvinopfuura hafu yeshekeri uye varombo havafaniri kupa zvishoma pamunoita chipiriso kuna Jehovha kuti muyananiswe upenyu hwenyu. Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendariria. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri. Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura kuitira kuti varege kufa. Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, vachashamba maoko avo netsoka dzavo kuitira kuti varege kufa. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi waAroni nezvizvarwa zvake kusvikira kumarudzi anotevera.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuwira zvinotevera izvi: mazana mashanu amashekerid emura inoerera, hafu yakadaro (ndiwo mazana maviri namakumi mashanu amashekeri) ezvinonhuwira zvesinamoni, mazana maviri namakumi mashanu enzimbe, mashekeri omuakasia mazana mashanu, zvose zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, nehinie yamafuta omuorivhi. Vhenganisa izvi kuti zvive mafuta matsvene okuzodza, anonhuwira akavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuwira. Achava mafuta matsvene okuzodza. Ipapo ugoashandisa kuzodza Tende Rokusangana, neareka yeChipupuriro, tafura nemidziyo yayo yose, chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuwira, aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo, uye mudziyo wokushambira nechigadziko chawo. Unofanira kuzvitsaura kuti zvigova zvitsvene-tsvene, uye zvose zvichazvigunzva zvichava zvitsvene. “Uzodze Aroni navanakomana vake uye uvatsaure kuitira kuti vagondishandira savaprista. Uti kuvaIsraeri, ‘Aya achava mafuta angu matsvene okuzodza amarudzi anotevera. Musaadira pamiviri yavanhu uye musaita mafuta api zvawo nenzira imwe cheteyo. Matsvene, uye munofanira kuaita matsvene. Ani naani anoita mafuta anonhuwira akafanana nawo uye ani naani anoaisa pamunhu upi zvake kunze kwomuprista anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuwira zvinoti sitaketi, onika negaribhanamu, uye zvinonhuwira zvakaisvonaka, zvose zvakaenzana, ugoita zvakafanira kurungwa zvigova zvakaisvonaka uye zvive zvitsvene. Ukuye zvimwe zvacho zvive upfu ugozviisa pamberi peChipupuriro chiri muTende Rokusangana, umo mandichasangana newe. Zvichava zvitsvene-tsvene kwauri. Usazviitira zvinonhuwira zvipi zvazvo nenzira imwe cheteyo; uzvicherechedze kuti zvitsvene kuna Jehovha. Ani naani achaita chipi zvacho chakafanana nacho kuti afadzwe nokunhuwira kwacho, anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha, kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira, kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha. Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaOhani, kuti amubatsire. Uyezve ndapa unyanzvi kumhizha kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti: Tende Rokusangana, areka yeChipupuriro ine chifukidzo pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetende, tafura nenhumbi dzayo, chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuwira, aritari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, mudziyo wokushambira nechigadziko chawo, uyewo nguo yakarukwa, dzose nguo tsvene dzaAroni muprista uye nguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista, namafuta okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo zveNzvimbo Tsvene. Vanofanira kudzigadzira sezvandakakurayira iwe.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Munofanira kucherechedza Sabata rangu. Ichi ndicho chichava chiratidzo pakati pangu nemi kumarudzi anotevera, kuti mugoziva kuti ndini Jehovha, anokuitai vatsvene. “ ‘Cherechedzai Sabata, nokuti idzvene kwamuri. Munhu upi zvake anorizvidza anofanira kuurayiwa; ani naani anobata basa ripi zvaro pazuva iroro anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. Kwamazuva matanhatu, basa rinofanira kuitwa, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, idzvene kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro nomusi weSabata anofanira kuurayiwa. VaIsraeri vanofanira kucherechedza Sabata, vachiripemberera kusvikira kumarudzi anotevera sesungano isingaperi. Richava chiratidzo pakati pangu navaIsraeri nokusingaperi, nokuti mukati mamazuva matanhatu Jehovha akasika denga nenyika, uye nomusi wechinomwe akarega kushanda uye akazorora.’ ” Jehovha akati apedza kutaura naMozisi paGomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri eChipupuriro, mahwendefa amabwe akanyorwa nomunwe waMwari. Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni uye vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvaitika kwaari.” Aroni akavapindura akati, “Bvisai mhete dzegoridhe dzakapfekwa navakadzi venyu, vanakomana venyu navanasikana venyu mugouya nadzo kwandiri.” Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo vakauya nadzo kuna Aroni. Akatora zvavakamupa akaita nazvo chifananidzo chakaumbwa muchimiro chemhuru, achichiveza nembezo. Ipapo vakati, “Ava ndivo vamwari venyu, imi Israeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.” Aroni akati aona izvi, akavaka aritari pamberi pemhuru iya akazivisa vanhu ati, “Mangwana kuchava nomutambo kuna Jehovha.” Saka zuva rakatevera vanhu vakamuka mangwanani vakabayira zvipiriso zvinopiswa uye vakapa zvipiriso zvokuwadzana. Shure kwaizvozvo vakagara pasi vakadya nokunwa uye vakasimuka kuti vatambe. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa muIjipiti, vaora. Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndaona vanhu ava, uye vanhu vane mitsipa mikukutu. Zvino ndirege hangu kuti kutsamwa kwangu kupfute pamusoro pavo uye kuti ndivaparadze. Ipapo iwe ndichakuita rudzi rukuru.” Asi Mozisi akatsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wake, akati, “Haiwa Jehovha, kutsamwa kwenyu kungapfuta seiko pamusoro pavanhu venyu, vamakabudisa kubva muIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba? VaIjipita vachataurireiko vachiti, ‘Akavabudisa muIjipiti nomurangariro wakaipa, kuti avauraye mumakomo uye nokuvaparadza panyika.’ Dzokai henyu pakutsamwa kwenyu kunotyisa; dzokai uye murege kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu venyu. Rangarirai varanda venyu vana Abhurahama, Isaka naIsraeri, vamakapika kwavari nemi pachenyu muchiti, ‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvenyu zviwande senyeredzi dzokudenga, uye ndichapa zvizvarwa zvenyu nyika iyi yose yandakavavimbisa, uye ichava nhaka yavo nokusingaperi.’ ” Ipapo Jehovha akazvidemba uye akarega kuuyisa njodzi yaakanga oda kuisa pamusoro pavanhu vake. Mozisi akadzoka uye akaburuka mugomo ane mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake. Akanga akanyorwa kumativi ose ari maviri, mberi neshure. Mahwendefa aya rakanga riri basa raMwari; runyoro rwakanga rwuri runyoro rwaMwari, rwakatemwa pamahwendefa. Joshua akati anzwa mheremhere yavanhu vaidanidzira, akati kuna Mozisi, “Mune ruzha rwehondo mumusasa.” Mozisi akapindura akati, “Harusi ruzha rwokukunda, harusi ruzha rwokukundwa; ruzha rwokuimba rwandinonzwa.” Mozisi akati aswedera pamusasa uye akaona mhuru uye nokutamba, kutsamwa kwake kwakavira uye akakanda mahwendefa achibva mumaoko ake, akaaputsa kuita zvidimbu zvidimbu pajinga regomo. Uye akatora mhuru yavakanga vagadzira ndokuipisa nomoto; ipapo akaikuya kuita upfu, akahuparadzira pamusoro pemvura uye akaita kuti vaIsraeri vainwe. Akati kuna Aroni, “Ko vanhu ava vakaiteiko kwauri, zvawavatungamirira muchivi chikuru zvakadai?” Aroni akapindura akati, “Regai kutsamwa, ishe wangu. Munoziva kuti vanhu ava vanorerekera sei pakutadza. Vakati kwandiri, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa kubva muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.’ Saka ndakati kwavari, ‘Ani naani ane zvishongo zvegoridhe, ngaabvise.’ Ipapo vakandipa goridhe, uye ndikarikanda mumoto, uye ndipo pakabuda mhuru iyi!” Mozisi akaona kuti vanhu vakanga vatopenga zvavo uye kuti Aroni akanga avarega vasisazvidzori uye kuti vakanga vava chiseko kuvavengi vavo. Saka akamira pamukova wokupinda nawo mumusasa akati, “Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri.” Uye vaRevhi vose vakaenda kwaari. Ipapo akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Murume mumwe nomumwe ngaapakate munondo parutivi rwake. Mufambefambe mumusasa kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, mumwe nomumwe achiuraya hama yake neshamwari yake nomuvakidzani wake.’ ” VaRevhi vakaita sezvavakarayirwa naMozisi, uye nomusi uyo vanhu zviuru zvitatu vakafa. Ipapo Mozisi akati, “Imi matsaurirwa Jehovha nhasi, nokuti makanga muchirwa navanakomana venyu uye nehama dzenyu, uye akuropafadzai nhasi.” Fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, “Maita chitadzo chikuru. Asi zvino ndichaenda kuna Jehovha; zvimwe ndingagona kukuitirai yananiso nokuda kwechivi chenyu.” Saka Mozisi akadzokera kuna Jehovha uye akati, “Haiwa vanhu ava vaita chivi chikuru sei! Vazviitira vamwari vegoridhe. Asi zvino, ndapota hangu varegererei chivi chavo, asi kana zvisina kudaro, ipapo ndidzimei henyu mubhuku ramakanyora.” Jehovha akapindura Mozisi akati, “Ani naani anenge atadzirana neni ndichamudzima mubhuku rangu. Zvino chienda, tungamirira vanhu kunzvimbo yandakataura nezvayo, uye mutumwa wangu achakutungamirirai. Kunyange zvakadaro, nguva yokuti ndirange painosvika, ndichavaranga nokuda kwechivi chavo.” Uye Jehovha akarova vanhu nedenda nokuda kwezvavakaita nemhuru yakaitwa naAroni. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ibva panzvimbo ino, iwe navanhu vawakabudisa kubva muIjipiti uye ukwire kunyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ Ndichatuma mutumwa pamberi pako agodzinga vaKenani, vaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. Kwirai kunyika inoyerera mukaka nouchi. Asi ini handiendi nemi, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu uye ndingazokuparadzai munzira.” Vanhu vakati vachinzwa mashoko anotambudza aya, vakatanga kuchema uye hapana munhu akashonga zvinoyevedza. Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri uti, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu. Kana dai ndingaende nemi kunyange kwenguva duku, ndingakuparadzai. Zvino bvisai zvishongo zvenyu uye ini ndichafunga zvokuita nemi.’ ” Saka vaIsraeri vakabvisa zvishongo zvavo pagomo reHorebhu. Zvino Mozisi aisitora tende achiridzika kunze kwomusasa kachinhambwe, achiti ndiro “Tende Rokusangana.” Munhu upi zvake ainge ane chaanoda kubvunza kuna Jehovha aienda kuTende Rokusangana kunze kwomusasa. Uye pose paibuda Mozisi achienda kutende, vanhu vose vaisimuka vachibva vomira pamikova yamatende avo, vakatarira Mozisi kusvikira apinda mutende. Kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaiburuka yobva yamira pamukova, Jehovha achitaura naMozisi. Vanhu vaiti vangoona shongwe yegore pamukova wokupinda mutende, vose vaimira uye vobva vanamata, mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Jehovha aizotaura naMozisi uso nouso, somunhu anotaura neshamwari yake. Ipapo Mozisi aizodzokera kumusasa, asi mubatsiri wake Joshua mwanakomana waNuni akanga asingabudi mutende. Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchinditaurira muchiti, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’ Kana muchifadzwa neni, ndidzidzisei nzira dzenyu kuitira kuti ndigokuzivai uye ndirambe ndichiwana nyasha kwamuri. Rangarirai kuti rudzi urwu vanhu venyu.” Jehovha akapindura akati, “Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo.” Ipapo Mozisi akati kwaari, “Kana Kuvapo kwenyu kusingaendi nesu, musatibvisa pano. Vanhu vachaziva sei kuti munofadzwa neni uye navanhu venyu kana musina kuenda nesu? Chiizve chicharatidza mutsauko pakati pangu navanhu venyu navamwe vanhu vose vari pamusoro penyika?” Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichaita chinhu ichocho chawakumbira, nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.” Ipapo Mozisi akati, “Zvino ndiratidzei kubwinya kwenyu.” Uye Jehovha akati, “Ndichaita kuti kunaka kwangu kupfuure napamberi pako, uye ndichaparidza zita rangu, iro Jehovha, pamberi pako. Ndichanzwira nyasha iye wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi uyo wandichanzwira tsitsi.” Iye akati, “Asi haugoni kuona chiso changu, nokuti hapana munhu angandiona uye akararama.” Ipapo Jehovha akati, “Pane nzvimbo iri pedyo neni paungamira padombo. Panopfuura kubwinya kwangu, ndichakuisa mumukaha wedombo uye ndichakufukidza noruoko rwangu, uye uchaona shure kwangu; asi chiso changu hachifaniri kuonekwa.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Veza matombo maviri amahwendefa akaita sokutanga, uye ndichanyora paari mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa. Ugadzirire mangwanani, uye ipapo ugouya pamusoro peGomo reSinai. Uzviise kwandiri iwe ipapo pamusoro pegomo. Hapana munhu anofanira kuuya newe kana kuonekwa papi zvapo pamusoro peGomo; kunyange makwai kana mombe zvinopfuura pamberi pegomo.” Saka Mozisi akaveza mahwendefa maviri amabwe akaita sookutanga uye akakwira pamusoro pegomo reSinai mangwananingwanani, sezvaakanga arayirwa naJehovha; uye akatakura mahwendefa maviri amabwe mumaoko ake. Ipapo Jehovha akaburuka kwaari ari mugore uye akamira naye ipapo uye akazivisa zita rake, Jehovha. Uye akapfuura napamberi paMozisi, achizivisa achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo uye akatendeka, anoitira rudo kuzviuru zvamazana, uye achikanganwira zvakaipa, kumukira uye chivi. Asi haaregi ane mhosva asingarangwi; anoranga vana navana vavo nokuda kwechivi chamadzibaba avo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.” Mozisi akapfugama pakarepo uye akanamata. Akati, “Haiwa Jehovha, kana ndawana nyasha pamberi penyu, ipapo Jehovha ngaaende nesu. Kunyange vanhu ava vane mitsipa mikukutu, regererai henyu kuipa kwedu nechivi chedu, uye mutitore senhaka yenyu.” Ipapo akati, “Ndava kuita sungano newe. Ndichaita zvishamiso pamberi pavanhu vako zvisina kumboitwa kare mundudzi dzipi zvadzo munyika yose. Vanhu vaunogara pakati pavo vachaona kuti basa randichakuitira ini, Jehovha rinotyisa sei. Uteerere zvandinokurayira nhasi. Ndichadzinga pamberi pako vaAmori, vaKenani, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vagere munyika yamunoenda kuti varege kuva musungo pakati penyu. Putsirai aritari dzavo pasi, pwanyai matombo avo anoyera uye muteme matanda avo aAshera. Musanamata vamwe vamwari vapi zvavo, nokuti Jehovha, iye ane zita rinonzi Godo, ndiye Mwari ane godo. “Uchenjerere kuti urege kuita sungano naavo vanogara munyika; nokuti pavanenge voita ufeve hwavo kuna vamwari vavo uye vakabayira kwavari, vachakukokai uye muchadya zvibayiro zvavo. Uye pamunosarudza vamwe vanasikana vavo kuti vave vakadzi vavanakomana venyu uye vanasikana avo vakaita ufeve navamwari vavo, vachatungamirira vanakomana venyu kuita zvimwe chetezvo. “Musaita zvifananidzo zvakaumbwa. “Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso. Mudye chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe, sezvandakurayirai. Muite izvi panguva yakatarwa mumwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi iwoyo makabuda muIjipiti. “Chibereko chose chinotanga kuzarura chizvaro ndechangu, kusanganisira matangwe ose makono ezvipfuwo zvako, dzingava mombe kana makwai. Udzikinure dangwe rembongoro negwayana, asi kana usingaridzikinuri, urivhune mutsipa waro. Udzikinure matangwe ose kuvanakomana venyu. “Hapana munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu. “Mubate basa mazuva matanhatu, asi nezuva rechinomwe munofanira kuzorora; kunyange munguva dzokurima nedzokukohwa munofanira kuzorora. “Mupemberere Mutambo weMavhiki nezvibereko zvokutanga zvegorosi yakohwewa, uye Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore. Katatu pagore, varume vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha, Mwari waIsraeri. Ndichadzinga ndudzi pamberi penyu uye ndichakurisa nyika yenyu, uye hakuna munhu achachiva nyika yenyu pamunokwirako katatu gore rimwe nerimwe, kuti mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu. “Musapa kwandiri ropa rezvibayiro pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso, uye musarega chimwe chezvibayiro zvoMutambo wePasika zvichisara kusvikira mangwanani. “Muuyise zvakaisvonaka zvezvibereko zvevhu renyu kuimba yaJehovha Mwari wenyu. “Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora mashoko aya, nokuti maererano namashoko aya ndaita sungano newe uye neIsraeri.” Mozisi akanga ariko kuna Jehovha kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, asingadyi chingwa kana kunwa mvura. Uye akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo Mirayiro Gumi. Mozisi akati aburuka muGomo reSinai aine mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake, iye akanga asingazivi kuti chiso chake chaibwinya nokuti akanga ataura naJehovha. Aroni navaIsraeri vose pavakaona Mozisi, chiso chake chakanga chichibwinya, uye vakatya kuswedera pedyo naye. Asi Mozisi akavadana; saka Aroni navatungamiriri vose vomumusha vakadzokera kwaari, uye iye akataura navo. Shure kwaizvozvo vaIsraeri vose vakaswedera pedyo naye, uye iye akavapa mirayiro yose yaakanga apiwa naJehovha muGomo reSinai. Mozisi akati apedza kutaura navo, akaisa chifukidzo pachiso chake. Asi pose paaipinda paUripo hwaJehovha kuti ataure naye, aibvisa chifukidzo kusvikira abuda kunze. Uye aiti paaibuda uye achiudza vaIsraeri zvaainge arayirwa, ivo vaiona kuti chiso chake chakanga chichibwinya. Ipapo Mozisi aizoisazve chifukidzo pachiso chake kusvikira apinda kundotaura naJehovha. Mozisi akaunganidza ungano yose yavaIsraeri akati kwavari, “Izvi ndizvo zvinhu zvamakarayirwa naJehovha kuti muite: Mubate basa, mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava zuva dzvene kwamuri, Sabata rokuzorora kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro pazuva iro anofanira kuurayiwa. Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.” Mozisi akati kuungano yose yavaIsraeri, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: Kubva pane zvamunazvo, mutore chipiriso chaJehovha. Ani naani anoda ngaauyise kuna Jehovha chipiriso chegoridhe, sirivha uye nendarira; wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka; mvere dzembudzi; matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuakasia; mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuwira kwazvo; mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva. “Vose vane unyanzvi pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha: tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko; areka namapango ayo uye chifunhiro chokuyananisa uye chidzitiro chinodzivirira; tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuvapo; chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje; aritari yezvinonhuwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri; aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo; zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe; hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho; nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.” Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi, uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene. Vose vakanga vachida zvose varume navakadzi, vakauya nezvishongo zvegoridhe zvemhando dzose zvaiti: zvikorekedzo, mhete dzenzeve, mhete uye nezvishongo zvoukomba. Vose vakapa goridhe ravo sechipiriso chokuninira kuna Jehovha. Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo. Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuakasia echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo. Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka. Uye vakadzi vose vaida zvavo uye vaiva nounyanzvi hwokuruka, vakaruka mvere dzembudzi. Vatungamiriri vakauya namabwe eonikisi namamwewo mabwe kuti azoiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva. Vakauyawo nezvinonhuwira namafuta omuorivhi emwenje uye namafuta okuzodza namafuta anonhuwira kwazvo. VaIsraeri vose, varume navakadzi vakanga vachida havo, vakavigira Jehovha zvipiriso zvokungopa zvebasa rose rakanga rarayirwa Mozisi naJehovha kuti vaite. Ipapo Mozisi akati kuvaIsraeri, “Tarirai, Jehovha asarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, uye amuzadza noMweya waMwari, nenjere, nokugona uye noruzivo rwemhando dzose dzoumhizha, kuti aite zvinhu zvinoyevedza zvebasa regoridhe, sirivha nendarira, kuveza nokuronga mabwe, kushanda mukuveza matanda uye nokuita mhando dzose dzoumhizha. Uye apa vose vari vaviri iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaOhani kugona kudzidzisa vamwe. Avazadza nenjere dzokuita mhando dzose dzebasa semhizha, vasoni, navasuki vewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka, vose zvavo imhizha huru navasoni. “Saka Bhezareri, Ohoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi apiwa unyanzvi naJehovha uye kugona kuziva maitirwo ebasa rokuvaka imba tsvene ngavaite basa sezvakarayirwa naJehovha.” Ipapo Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu uye munhu wose wounyanzvi uyo akapiwa kugona naJehovha uye akanga achida hake kuuya kuzoshanda basa. Vakagamuchira kubva kuna Mozisi zvipo zvose zvakanga zvauya navaIsraeri kuti zvishandiswe pabasa rokuvaka imba tsvene. Uye vanhu vakaramba vachiuyisa zvipo zvokungopa mangwanani oga oga. Saka varume vose voumhizha vakanga vachiita basa rose rapaimba tsvene vakasiya basa ravo uye vakati kuna Mozisi, “Vanhu vari kuuya nezvakawandisa zvokuitisa basa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.” Ipapo Mozisi akarayira uye vakatuma shoko iri pakati pomusasa wose vachiti, “Ngakurege kuva nomurume kana mukadzi achaitazve chimwe chinhu sechipo chenzvimbo tsvene.” Nokudaro vanhu vakadziviswa kuuyisa zvimwe, nokuti zvavakanga vatova nazvo zvakanga zvatowandisa pane zvaidiwa kuita basa rose. Varume vose vounyanzvi vakaita tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka newuru yebhuruu, pepuru netsvuku, namakerubhi akasonerwa mazviri nemhizha ino unyanzvi. Zvidzitiro zvose zvakanga zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namaserea uye makubhiti manab paupamhi. Vakabatanidza zvimwe zvidzitiro zvishanu pamwe chete uye vakaita zvimwe chetezvo pane zvimwe zvishanu. Ipapo vakaita zvishwe zvomucheka webhuruu zvichitevedza mupendero wechidzitiro chokumucheto pane zvimwe zvakabatanidzwa. Vakaitawo zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chimwe chete uye zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chokupedzisira chezvimwe zvakabatanidzwa nezvishwe zvakanga zvakatarisana. Ipapo vakaita zvikorekedzo zvegoridhe makumi mashanu ndokuzvishandisa kusonanidza zvibatanidzwa zviviri zvezvidzitiro pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe chete. Vakaita zvidzitiro zvemvere dzembudzi zvetende rapamusoro petabhenakeri, gumi nechimwe pamwe chete. Zvidzitiro zvose zviri gumi nechimwe zvakanga zvakaenzana, makubhiti makumi matatuc pakureba uye makubhiti manad paupamhi. Vakabatanidza zvidzitiro zvishanu pamwe chete kuti zvive mubatanidzwa mumwe chete, uye zvimwe zvitanhatu kuti zvive pamwe chete. Ipapo vakaita zvishwe makumi mashanu zvaitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muchibatanidzwa chimwe chete uyewo zvichitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muno mumwe mubatanidzwa. Vakaita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu kuti zvisunganidze tende pamwe chete zvive sechinhu chimwe chete. Ipapo vakagadzirira tende chifukidzo chamatehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku, uye pamusoro pacho chifunhiro chamatehwe emombe dzomugungwa. Vakaita mapuranga akamiswa amatanda omuakasia etabhenakeri. Puranga rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumie uye kubhiti rimwe nehafuf paupamhi, nembambo mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Vakaita mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyi. Vakaita mapuranga makumi maviri kurutivi rwezasi kwetabhenakeri uye vakaita makumi mana ezvigadziko zvesirivha kuti zviende pasi pazvo, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe. Kuno rumwe rutivi, rutivi rwokumusoro kwetabhenakeri, vakaita mapuranga makumi maviri uye makumi mana ezvigadziko zvesirivha, zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. Vakaita mapuranga matanhatu okumucheto cheto, iko kumavirira kwetabhenakeri, uye mapuranga maviri akanga akagadzirirwa makona etabhanakeri nechokumucheto cheto. Pamakona maviri aya mapuranga aiva maviri kubva pasi kusvikira kumusoro uye akaiswa mumhete imwe chete; ose akanga akagadzirwa zvakafanana. Saka pakanga pana mapuranga masere uye zvigadziko gumi nezvitanhatu zvesirivha, zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. Vakaitawo mbariro dzomuti womuakasia: shanu dzamapuranga aiva pano rumwe rutivi rwetabhenakeri, shanu dzaaya aiva kuno rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga aiva kumavirira, pamucheto cheto kwetabhenakeri. Vakaita mbariro yapakati kuitira kuti ichinjike kubva kumucheto kusvikira kumucheto pakati pamapuranga. Vakafukidza mapuranga negoridhe uye vakaita mhete dzegoridhe kuti dzibate mbariro. Vakafukidzawo mbariro negoridhe. Vakaita zvidzitiro zvewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, namakerubhu akasonerwa pauri nemhizha ino unyanzvi. Vakaita matanda mana omuti womuakasia vakaafukidza negoridhe. Vakaaitira zvikorekedzo uye vakaumba zvigadziko zvawo zvina zvesirivha. Vakaita chidzitiro chomukova wokupinda mutende chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romuruki; uye vakaita matanda mashanu nezvikorekedzo zvawo. Vakafukidza misoro yamatanda nehata dzawo negoridhe uye vakaita zvigadziko zvawo zvishanu zvendarira. Bhezareri akaita areka yamatanda omuakasia, yakareba makubhiti maviri nehafua, kubhiti rimwe nehafub paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira. Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza. Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi. Ipapo akaita mapango omuti womuakasia uye akaafukidza negoridhe. Uye akapinza mapango mukati memhete parutivi rweareka okuitakura nawo. Akagadzira chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafuc pakureba uye kubhiti rimwe chete nehafud paupamhi. Ipapo akaita makerubhi maviri negoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro. Akaita kerubhi rimwe chete kurutivi rumwe chete rwokumucheto uye kerubhi rechipiri kuno rumwezve rutivi, mativi okumucheto ari maviri akaaita chinhu chimwe chete nechifunhiro. Mapapiro amakerubhi akanga akabatanidzirwa kumusoro, achifukidza chifunhiro nomumvuri wawo. Makerubhi akanga akatarisana, akatarisa kuchifunhiro. Vakagadzira tafura namatanda omuakasia, yakareba makubhiti mavirie, uye kubhiti rimwe chetef paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafug pakukwirira. Ipapo vakaifukidza negoridhe rakaisvonaka uye vakagadzira hata yegoridhe yakaipoteredza. Vakaiitirawo mukombero wakaipoteredza une upamhi hwakaita sechanza choruokoh ndokuisa hata yegoridhe pamukombero. Vakaumba mhete ina dzegoridhe dzetafura uye vakadzisungirira pamakona mana, paya pakanga pana makumbo. Mhete dzakaiswa pedyo nomukombero kuti dzibate mapango aishandiswa pakutakura tafura. Mapango okutakura tafura akagadzirwa namatanda omuakasia uye akanga akafukidzwa negoridhe. Uye vakaita nhumbi dzetafura negoridhe rakaisvonaka, ndiro dzayo, madhishi nemikombe uye nezvirongo zvayo zvokudururira zvipiriso zvinonwiwa. Vakagadzira chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye vakaipambadzira, chigadziko nehunde; mikombe inenge maruva, mabukira namaruva zvaiva chinhu chimwe chete nacho. Mapazi matanhatu akaiswa kubva kumativi echigadziko chomwenje, matatu kurutivi rumwe chete uye mamwe matatu kuno rumwe rutivi. Mikombe mitatu yakanga yakaumbwa seruva remuarimondi namabukira namaruva makuru zvakange zviri pane rimwe davi, matatu padavi raitevera uye zvaita saizvozvo pamatavi ose ari matanhatu aibva pachigadziko chomwenje. Uye pamusoro pechigadziko chomwenje paiva nemikombe mina yakaumbwa seruva romuarimondi namabukira uye namaruva makuru. Bukira rimwe chete rakanga riri pasi pamatavi maviri okutanga aibva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri rakanga riri pasi pamatavi maviri aitevera, uye bukira rechitatu rakanga riri pasi pamatavi mamwezve maviri, ose ari matanhatu pamwe chete. Mabukira namatavi zvaiva chinhu chimwe chete nechigadziko chomwenje, chegoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa. Vakaita mwenje yacho minomwe, pamwe chete nembato dzacho uye nendiro dzacho, dzegoridhe rakaisvonaka. Vakaita chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose kubva patarenda rimwe chetei regoridhe rakaisvonaka. Vakaita aritari yezvinonhuwira namatanda omuakasia. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chetej uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye makubhiti mavirik pakukwirira kwayo, nyanga dzayo dziri chinhu chimwe chete nayo. Vakafukidza pamusoro payo nokumativi ose uye nenyanga, negoridhe rakaisvonaka, uye vakagadzira hata yakaipoteredza. Vakaita mhete dzegoridhe mbiri pasi pehata, mbiri kuno rumwe rutivi, kuti dzibate mapango aishandiswa pakuitakura. Vakagadzira mapango omuti womuakasia uye vakafukidza negoridhe. Vakagadzirawo mafuta matsvene okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo zvakaisvonaka, basa romuvhenganisi wezvinonhuwira. Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuakasia, yakakwirira makubhiti matatua; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanub pakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo. Vakagadzira runyanga pamakona mana ose zvokuti nyanga nearitari zvakanga zvava chinhu chimwe chete, uye vakafukidza aritari nendarira. Vakaita midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo, foshoro dzayo, midziyo yokusasa zvibayiso zvenyama uye namakango apamoto. Vakaitira aritari chiparo, mumbure wendarira, kuti chive pasi pechitsiko chayo, pakati napakati pokukwirira kwearitari. Vakaumba mhete dzendarira kuti dzibate mapango amakona mana echiparo chendarira. Vakaita mapango omuti womuakasia vakaafukidza nendarira. Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaita namapuranga, isina chinhu mukati. Vakagadzira mudziyo wokushambira wendarira uye nezvigadziko zvawo zvendarira kubva pazvionioni zvamadzimai aishumira pamukova wokupinda muTende Rokusangana. Pashure vakaita ruvazhe. Rutivi rwezasi rwakanga rwakareba makubhiti zanac uye rwaiva nezvidzitiro zvomucheka wakaisvonaka uye wakarukwa, namatanda makumi maviri uye nezvigadziko zvendarira makumi maviri, nezvikorekedzo zvesirivha uye nezvisungo pamusoro pamatanda. Rutivi rwokumusorowo rwakanga runa makubhiti zana pakureba uye rwakanga rune matanda makumi maviri nezvigadziko zvendarira, ine zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda. Mucheto wokumavirira wakanga una makubhiti makumi mashanud paupamhi, uye kwaiva nezvidzitiro, namatanda gumi uye nezvigadziko gumi, nezvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda. Kumucheto wokumabvazuva, wakananga kunobuda nezuva, kwaivawo noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu. Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanue zvaiva kurutivi rumwe chete rwomukova, namatanda matatu ezvigadziko zvitatu, uye zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kuno rumwe rutivi rwokupinda muruvazhe, namatanda matatu uye nezvigadziko zvitatu. Zvidzitiro zvose zvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvomucheka wakarukwa wakaisvonaka. Zvigadziko zvamatanda zvakanga zviri zvendarira. Zvikorekedzo nezvisungo zvaiva pamatanda zvaiva zvesirivha, uye misoro yawo yakanga yakafukidzwa nesirivha; saka matanda ose oruvazhe akanga ane zvisungo zvesirivha. Chidzitiro chomukova wokupinda muruvazhe chaiva chewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romuruki. Chakanga chakareba makubhiti makumi mavirif, chakaita sechidzitiro chaparuvazhe, makubhiti mashanug kukwirira kwacho, namatanda mana uye nezvigadziko zvendarira zvina. Zvikorekedzo zvazvo nezvisungo zvazvo zvaiva zvesirivha, uye misoro yacho yakanga yakafukidzwa nesirivha. Mbambo dzose dzetende retabhenakeri nezvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvendarira. Uku ndiko kuwanda kwezvinhu zvakashandiswa patabhenakeri, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, zvakanyorwa pakurayira kwaMozisi navaRevhi vari pasi paItamari mwanakomana waAroni, muprista. Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, akagadzira zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha; aiva naDhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, mhizha nomusoni, uye musoni wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku nomucheka wakaisvonaka. Kuwanda kwegoridhe rose rakabva kuzvipiriso zvokuninira rakashandiswa pabasa rose rapaimba tsvene kwaiva matarenda makumi maviri namapfumbamwe namashekeri mazana manomwe ana makumi matatuh, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene. Sirivha yakawanikwa yakabva kuna avo veungano vakaverengwa pakunyorwa, yaiva matarenda zana, uye chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu amashekerii, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, bheka rimwe chete pamunhu, ndiyo hafu yeshekerij, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, kubva kumunhu wose akanga ayambukira kuna avo vakanga vatoverengwa, vana makore makumi maviri kana kupfuura, varume vakanga vari zviuru mazana matanhatu navatatu namazana mashanu ana makumi mashanu. Matarenda zanak esirivha akashandiswa kugadzira zvigadziko zvenzvimbo tsvene pachidzitiro, zvigadziko zana zvaibva pamatarenda zana, tarenda rimwe chete pachigadziko chimwe nechimwe. Vakashandisa mashekeri chiuru chimwe chete namazana manomwe namakumi manomwe namashanul kuti vagadzire zvikorekedzo zvamatanda, kufukidza misoro yamatanda, uye vagadzire zvisungo zvawo. Ndarira yakabva kuzvipiriso zvokuninira yaiva matarenda makumi manomwe namashekeri zviuru zviviri namazana manam. Vakaishandisa kugadzira nheyo dzomukova weTende Rokusangana, aritari yendarira, chiparo chayo chendarira nemidziyo yayo yose, nheyo dzepakapoteredza ruvazhe nedzomukova warwo nembambo dzose dzetende retabhenakeri uye nezvose zvakapoteredza ruvazhe. Kubva pawuru yebhuruu nepepuru netsvuku, vakaita nguo dzakarukwa dzoushumiri munzvimbo tsvene. Vakaitawo nguo tsvene dzaAroni, sokurayira kwakaita Jehovha kuna Mozisi. Vakaita efodhi yegoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, basa remhizha ino unyanzvi. Vakaita zvipenga zvapapfudzi zveefodhi, zvaibatanidzwa pana mamwe makona ayo maviri, kuti isimbiswe. Bhande rayo romuchiuno rakarukwa nounyanzvi rakanga rakafanana nayo, zvaive chinhu chimwe neefodhi uye zvakagadzirwa negoridhe, newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa wakaisvonaka, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha. Vakagadzira matombo eonikisi vakaanyudza mukati mamaruva egoridhe uye vakanyora norunyoro rwokutema padombo sezvinoitwa padombo rechisimbiso ramazita avanakomana vaIsraeri. Ipapo vakaisa pamapenga apamapfudzi eefodhi matombo echirangaridzo chavana vaIsraeri sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi. Vakaita chidzitiro chechipfuva, basa remhizha ino unyanzvi. Vakachiita seefodhi: negoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa wakaisvonaka. Chakanga chakaenzana mativi acho ose ari mana, chakaenzana nechanzaa paurefu uye chakaenzana nechanza paupamhi uye chakapetwa kaviri. Ipapo vakagadzira mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga makanga mune ibwe rerubhi, topazi nebheriri; mumutsara wechipiri maiva netekoisi, nesafire uye nemaradhi; mumutsara wechitatu maiva nejasindi, neagati uye neametisi; mumutsara wechina maiva nekirisoriti, neonikisi uye nejasipa. Akanga akagadzirwa mukati mamaruva egoridhe. Paiva namatombo gumi namaviri, rimwe richimirira rimwe ramazita avanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakanyorwa, sorunyoro rwakatemwa padombo sechisimbiso chine rimwe ramazita amarudzi gumi namaviri. Chidzitiro chechipfuwa vakachiitirawo uketani hwakarukwa negoridhe rakaisvonaka, rwakaita setambo. Vakaita maruva maviri egoridhe nemhete mbiri dzegoridhe, uye vakasungirira mhete idzi pana mamwe amakona maviri echidzitiro chechipfuva. Vakasungirira humwe uketani huviri hwegoridhe pamhete dzapamakona echidzitiro chechipfuva, uye mimwe miromo youketani pamaruva maviri, zvichibatanidzwa pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi nechemberi. Vakagadzira mhete dzegoridhe mbiri vakadzibatanidza namamwe makona maviri echidzitiro chechipfuva pamupendero nechomukati pedyo neefodhi. Ipapo vakagadzira dzimwezve mhete mbiri dzegoridhe uye vakadzibatanidza nechepasi pezvipenga zvamapfudzi pamberi peefodhi, pedyo nemusono uri nechapamusoro pebhanire romuchiuno refodhi. Vakasungirira mhete dzapachidzitiro chapachipfuva pamhete dzapaefodhi netambo yebhuruu, ichiibatanidza nebhanire romuchiuno kuitira kuti chidzitiro chechipfuva chirege kubva paefodhi, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi. Vakaita jasi reefodhi nomucheka webhuruu yoga, basa romuruki, rakazaruka pakati pejasi sokuzaruka kwekora, uye mupendero wakapoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka. Vakaita matamba ewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa wakaisvonaka wakapoteredza mupendero wejasi. Uye vakaita matare egoridhe rakaisvonaka uye vakaabatanidza achipoteredza mupendero pakati pamatamba. Matare namatamba akanga achipesana akapoteredza mupendero wejasi rinofanira kupfekwa pakushumira, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi. Vakaitira Aroni navanakomana vake, majasi omucheka wakaisvonaka, basa romuruki, uye nguwani yomucheka wakaisvonaka, bhanire romucheka romumusoro uye nenguo dzapasi dzomucheka wakarukwa wakaisvonaka. Ndaza yacho yakanga iri yomucheka wakarukwa wakaisvonaka wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku, basa romuruki, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi. Vakagadzira ndiro, korona tsvene, yegoridhe rakaisvonaka uye yakanyorwa pairi, sorunyoro rwapachisimbiso, kuti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA. Ipapo vakasungirira tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi. Saka basa rose patabhenakeri, Tende Rokusangana, rakapera. VaIsraeri vakaita zvinhu zvose sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi. Ipapo vakauya netabhenakeri kuna Mozisi: tende nenhumbi dzaro dzose, zvikorekedzo zvayo, mapuranga, mbariro, matanda nezvigadziko; chifukidzo chamatehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku, chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa nezvidzitiro zvokudzivirira; areka yeChipupuriro namapango ayo nechifunhiro chokuyananisa; tafura nenhumbi dzayo dzose nechingwa choKuvapo; zvigadziko zvomwenje zvegoridhe rakaisvonaka nemitsara yacho yemwenje, nhumbi dzayo dzose, namafuta omwenje; aritari yegoridhe, mafuta okuzodza, zvinonhuwira kwazvo nechidzitiro chapamukova wetende; aritari yendarira, chiparo chayo chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; dhishi nechigadziko charo; zvidzitiro zvoruvazhe namatanda nezvigadziko zvarwo, uye chidzitiro chapamukova woruvazhe; tambo nembambo dzetende dzaparuvazhe; midziyo yose yetabhenakeri, Tende Rokusangana; uye jasi rakarukwa rinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene dzaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista. VaIsraeri vakanga vaita basa rose sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi. Mozisi akaongorora basa uye akaona kuti vakanga variita sokurayira kwakange kwaita Jehovha. Saka Mozisi akavaropafadza. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Dzika tabhenakeri, Tende Rokusangana, pazuva rokutanga romwedzi wokutanga. Uise areka yeChipupuriro mairi uye ugofukidza areka nechidzitiro. Upinze tafura ugoisa zvinhu zvayo pairi. Ipapo ugopinza chigadziko chomwenje ugomisa mwenje yacho. Uise aritari yezvinonhuwira yegoridhe pamberi peareka yechipupuriro uye ugoisa chidzitiro pamukova wokupinda mutabhenakeri. “Uise aritari yezvipiriso zvinopiswa pamberi pomukova wokupinda kutabhenakeri, Tende Rokusangana; uise dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari ugoisa mvura mariri. Ugadzire ruvazhe rwakaipoteredza uye ugoisa chidzitiro pamukova woruvazhe. “Utore mafuta okuzodza ugozodza tabhenakeri nezvinhu zvose zvirimo; uinatse nenhumbi dzayo dzose, uye ichava tsvene. Ipapo ugozodza aritari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose; unatse aritari, uye ichava tsvene-tsvene. Uzodze dhishi nechigadziko charo ugozvinatsa. “Uuye naAroni navanakomana vake kumukova weTende Rokusangana ugovashambidza nemvura. Ipapo ugopfekedza Aroni nguo tsvene, umuzodze uye ugomunatsa kuti agondishumira somuprista. Uuyise vanakomana vake ugovapfekedza majasi. Uvazodze sokuzodza kwawaita baba vavo, kuti vagondishumira savaprista. Kuzodzwa kwavo kuchava kwouprista hucharamba huripo kumarudzi anotevera.” Mozisi akaita zvose sezvaakarayirwa naJehovha. Saka tabhenakeri yakamiswa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga mugore rechipiri. Mozisi akati amisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko panzvimbo yazvo, akadzika mapuranga, akapinza mbariro uye akamisa matanda. Ipapo akatambanudza tende akariisa pamusoro petabhenakeri ndokuisa chifukidzo pamusoro petende, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Akatora Chipupuriro akachiisa muareka, akabatanidza mapango paareka uye akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro payo. Ipapo akauyisa areka mutabhenakeri ndokuturika chidzitiro chokufukidzira akafukidza areka yeChipupuriro, sokurayira kwakaita Jehovha. Mozisi akaisa tafura muTende Rokusangana nechokurutivi rwokumusoro kwetabhenakeri kunze kwechidzitiro uye akaisa chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Akaisa chigadziko chomwenje muTende Rokusangana chakatarisana netafura nechokurutivi rwezasi rwetabhenakeri uye akamisa mwenje pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Mozisi akaisa aritari yegoridhe muTende Rokusangana pamberi pechidzitiro, uye akapisa zvinonhuwira pairi, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Ipapo akaisa chidzitiro pamukova wetabhenakeri. Akamisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pedyo nomukova wetabhenakeri, Tende Rokusangana, akapa pairi zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Akaisa dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari uye akaisa mvura yokushamba mariri, uye Mozisi naAroni navanakomana vake vakaishandisa kushamba maoko avo netsoka dzavo. Vaishamba pose pavaipinda muTende Rokusangana kana kuswedera paaritari, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha. Ipapo Mozisi akaita ruvazhe rwakapoteredza tabhenakeri nearitari uye akaturika chidzitiro pamukova wokupinda muruvazhe. Nokudaro Mozisi akapedza basa. Ipapo gore rakafukidza Tende Rokusangana, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri. Mozisi haana kugona kupinda muTende Rokusangana nokuti gore rakanga ragara pariri, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri. Mukufamba kwose kwavaIsraeri, pose paisimuka gore kubva pamusoro petabhenakeri, ivo vaisimuka vachienda; asi kana gore risina kubva, vakanga vasingafambi, kusvikira pazuva rarinosimuka. Saka gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati; uye moto wakanga uri mugore usiku, pamberi peimba yose yaIsraeri panguva yokufamba kwavo kwose. Jehovha akadana Mozisi akataura naye ari muTende Rokusangana akati, “Taura kuvana vaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu upi zvake pakati penyu achiuya nechipiriso kuna Jehovha ngaauye nechipiriso chezvipfuwo, zvemombe kana zvamakwai. “ ‘Kana chipiriso chake chiri chinopiswa chinobva mudanga remombe, ngaape chikono chisina kuremara. Ngaachibayire pamusuo weTende Rokusangana kuti chigamuchirwe pamberi paJehovha. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chinopiswa uye chichagamuchirwa chakamumirira iye kuti chimuyananisire. Ngaabaye hando diki pamberi paJehovha uye ipapo vanakomana vaAroni vaprista vachauya neropa vagorisasa paaritari kumativi ose pamusuo wokupinda nawo muTende Rokusangana. Anofanira kuvhiya chipiriso chinopiswa agochicheka kuita zvidimbu zvidimbu. Vanakomana vaAroni, muprista, vanofanira kuisa moto paaritari vagoronga huni pamoto. Ipapo vanakomana vaAroni vaprista vacharonga zvidimbu zvenyama, zvichisanganisira musoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari. Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista agopisa zvose paaritari. Chipiriso chinopiswa, chipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. “ ‘Kana chipiriso chiri chinopiswa chinobva muzvipfuwo chiri chegwai kana chembudzi anofanira kupa chikono chisina kuremara. Ngaachibayire parutivi rwearitari nechokumusoro pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni vaprista vagosasa ropa kumativi ose earitari. Anofanira kucheka nyama muzvidimbu uye muprista achaironga pamwe chete nomusoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari. Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista anofanira kuuyisa zvose agozvipisa pamusoro pearitari. Chibayiro chinopiswa, chibayiro chakagadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. “ ‘Kana chipiriso chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaape njiva kana hangaiwa ichiri diki. Muprista achaiisa paaritari agodambura musoro, oipisa paaritari; ropa rayo richaerera parutivi pearitari. Ngaabvise chihururu neminhenga agozvikanda kumabvazuva kwearitari kunenge kune madota. Achaibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi zvachose, muprista agoipisa pahuni dziri pamoto uri paaritari. Chipiriso chinopiswa, chipiriso chakagadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. “ ‘Kana munhu achiuya kuna Jehovha nechipiriso chezviyo, chipiriso chake chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka. Anofanira kudira mafuta pachiri agoisa zvinonhuwira pamusoro pacho, agoenda nacho kuvanakomana vaAroni vaprista. Muprista achatora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuwira, agozvipisa sechikamu chechirangaridzo paaritari. Chipiriso chakagadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Zvimwe zvose zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. “ ‘Kana ukauya nechipiriso chezviyo zvakabikwa muchitofu chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka: makeke anenge aitwa asina mbiriso uye akasanganiswa namafuta kana kuti makeke matete asina mbiriso akazorwa mafuta. Kana chipiriso chako chezviyo chagadzirirwa mugango, chinofanira kugadzirwa noupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta pasina mbiriso. Unofanira kuchipfupfunyura ugodira mafuta pachiri; ichi chipiriso chezviyo. Kana chipiriso chako chezviyo chakabikwa mugango chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka namafuta. Uuye nechipiriso chezviyo chakaitwa nezvinhu izvi kuna Jehovha, ugochipa kumuprista achachiendesa kuaritari. Muprista achatora kubva muchipiriso chezviyo chikamu chechirangaridzo agochipisa paaritari sechipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. “ ‘Zvipiriso zvose zvezviyo zvamunouya nazvo kuna Jehovha zvinofanira kugadzirwa pasina mbiriso nokuti hamufaniri kupisa chero mbiriso kana uchi muchipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Munokwanisa kuzviuyisa kuna Jehovha sechipiriso chezvirimwa zvamunotanga kukohwa asi hazvifaniri kuuyiswa paaritari somunhuwi unonhuwira zvinofadza. Rungai zvipiriso zvenyu zvose zvezviyo nomunyu. Musasiya munyu wesungano yaMwari wenyu pazvipiriso zvenyu zvose. “ ‘Kana uchiuyisa chipiriso chezviyo zvokutanga kuna Jehovha upe hura dzezviyo zvitsva zvakakangwa pamoto uye zvakakuyiwa. Uise mafuta nezvinonhuwira pazviri, chipiriso chezviyo. Muprista achapisa chikamu chechirangaridzo chezviyo zvakakuyiwa, namafuta, pamwe chete nezvose zvinonhuwira, sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. “ ‘Kana chipiriso chomumwe chiri chokuwadzana, uye akapa chipfuwo, chemombe chingava chikono kana chikadzi, anofanira kuuyisa pamberi paJehovha chipfuwo chisina kuremara. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chake agochibayira pamusuo weTende Rokusangana. Ipapo vanakomana vaAroni vaprista vachasasa ropa kumativi ose earitari. Kubva pachipiriso chokuwadzana anofanira kuuya nechipiriso chinoitwa nomoto kuna Jehovha, mafuta ose anofukidza ura, kana akabatana nahwo, itsvo mbiri namafuta ari pamusoro padzo, pedyo napachiuno, nezvinofukidza chiropa, zvaachabvisa pamwe chete neitsvo. Ipapo vanakomana vaAroni vanofanira kuzvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa chinenge chichitsva pamoto, sechibayiro chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. “ ‘Kana achipa gwai sechipiriso chokuwadzana kuna Mwari anofanira kupa gono kana gadzi risina kuremara. Kana achipa gwayana, anofanira kuriuyisa pamberi paJehovha. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chake agochiuraya pamberi peTende Rokusangana. Ipapo vanakomana vaAroni vachasasa ropa paaritari kumativi ose. Kubva pachipiriso chokuwadzana anofanira kuuya nechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, mafuta acho, ose mafuta echimuswe chakakora chakadimurwa, nechapamusana, ose mafuta akafukidza ura neakabatana nahwo, itsvo mbiri namafuta ari padziri pedyo nechiuno nezvakafukidza chiropa, achazvibvisa pamwe chete neitsvo. Muprista achazvipisa paaritari sezvokudya, chipiriso chinoitwa kuna Mwari nomoto. “ ‘Kana chipiriso chake chiri mbudzi, anofanira kuipa kuna Jehovha. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro payo agoibayira pamberi peTende Rokusangana. Ipapo vanakomana vaAroni vachasasa ropa rayo paaritari kumativi ose. Kubva kune zvaanopa anofanira kupa kuna Jehovha chipiriso ichi chakaitwa nomoto, mafuta ose anofukidza zvose zvomukati kana zvakabatana nazvo, itsvo mbiri namafuta ari padziri pedyo nechiuno neakafukidza chiropa, zvichabviswa pamwe chete neitsvo. Vaprista vachazvipisa paaritari sezvokudya, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza. Mafuta ose ndeaJehovha. “ ‘Uyu murayiro usingaperi kumarudzi achatevera, kwose kwamuchagara: Hamufaniri kudya mafuta kana ropa.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvana veIsraeri, ‘Kana munhu upi zvake akatadza nokusaziva akaita zvisingabvumirwi pamurayiro upi zvawo waJehovha, kana muprista akazodzwa, akatadza akauyisa mhosva pamusoro pavanhu, anofanira kuuya kuna Jehovha nehando diki isina kuremara sechibayiro chechivi, nokuda kwechivi chaakaita. Anofanira kupa hando diki pamusuo weTende Rokusangana pamberi paJehovha. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro payo agoibaya pamberi paJehovha. Ipapo muprista akazodzwa achatora rimwe reropa rehando iyi agoritakura agopinda naro muTende Rokusangana. Anofanira kunyika munwe muropa agosasa rimwe racho kanomwe pamberi paJehovha; pamberi pechidzitiro chenzvimbo tsvene. Muprista achatora rimwe ropa agoisa panyanga dzearitari yezvinonhuwira zviri pamberi paJehovha muTende Rokusangana. Rimwe ropa rose acharidira mujinga mearitari yezvibayiro zvinopiswa pamusuo weTende Rokusangana. Achabvisa mafuta anofukidza zvose zvomukati kana akabatana nadzo, itsvo mbiri namafuta ari padziri pedyo nechiuno nezvakafukidza chiropa, achazvibvisa pamwe chete neitsvo, sokubviswa kunoitwa mafuta pahando inopiwa sechibayiro chokuwadzana. Ipapo muprista achazvipisa paaritari yezvipiriso zvinopiswa. Asi dehwe rehando, nyama yose pamwe chete nomusoro namakumbo, ura nezvemukati, zvinoreva kuti zvose zvehando, anofanira kuzvibudisa kunze kwemisasa panzvimbo yakacheneswa, panorasirwa madota agozvipisa pamoto wehuni padurunhuru. “ ‘Kana ungano yose yaIsraeri ikatadza nokusaziva ikaita zvisingatenderwi pamirayiro ipi zvayo yaJehovha, kunyange ungano isingazivi kuti chii chakaitika, vose vane mhosva. Kana vakaziva chivi chavakaita, ungano ichapa hando diki sechipiriso chechivi vagouya nayo kuTende Rokusangana. Vakuru veungano vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wehando pamberi paJehovha uye hando ichabayiwa pamberi paJehovha. Ipapo muprista akazodzwa achatora rimwe ropa rehando agopinda naro muTende Rokusangana. Achanyika munwe wake muropa agorisasa pamberi paJehovha kanomwe, pamberi pechidzitiro. Anofanira kuisa rimwe ropa panyanga dzearitari iri pamberi paJehovha muTende Rokusangana. Rimwe ropa rose acharidurura mujinga mearitari yechibayiro chinopiswa pamusuo weTende Rokusangana. Achabvisa mafuta ose pairi agoapisa paaritari agoita nehando iyi zvaakaita nehando yechipiriso chezvivi. Nenzira iyi muprista anofanira kuvayananisira, uye vacharegererwa. Ipapo achaenda nehando kunze kwomusasa agoipisa sokupisa kwaakaita hando yokutanga. Ichi ndicho chipiriso chezvivi cheungano yavanhu. “ ‘Kana mutungamiri akatadza nokusaziva, akaita zvinorambidzwa pamirayiro ipi zvayo yaJehovha Mwari wake, ane mhosva. Kana akaziviswa chivi chaakaita, anofanira kuuya nechipiriso chake chenhongo yembudzi isina kuremara. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wembudzi agoibayira panzvimbo panobayirwa chipiriso chinopiswa pamberi paJehovha. Ichi chipiriso chezvivi. Ipapo muprista achatora rimwe ropa rechibayiro chezvivi nomunwe wake agoriisa panyanga dzearitari yechibayiro chinopiswa agodurura rimwe rose mujinga mearitari. Achapisa mafuta ose paaritari sokupisa kwaakaita mafuta echibayiro chokuwadzana. Nenzira iyi muprista achayananisira munhu pazvivi zvake uye acharegererwa. “ ‘Kana nhengo yeungano yavanhu ikatadza nokusaziva uye ikaita zvisingabvumirwi mumurayiro upi noupi waJehovha, ine mhosva. Kana akaziviswa chivi chaakaita, anofanira kuuya nechibayiro chake chechivi chaakaita mbudzi hadzi isina kuremara. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro wechibayiro chechivi agochiuraya panzvimbo yechipiriso chinopiswa. Ipapo muprista achatora rimwe ropa nomunwe wake agoriisa panyanga dzearitari yechibayiro chinopiswa agodira rimwe ropa rose mujinga mearitari. Achabvisa mafuta ose sokubviswa kunoitwa mafuta pachibayiro chokuwadzana uye muprista achazvipisa paaritari sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye acharegererwa. “ ‘Kana akauya negwayana rechipiriso chake chezvivi, anofanira kuuya nesheshe isina kuremara. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro waro agoribaya sechibayiro chezvivi panzvimbo inobayirwa chipiriso chinopiswa. Ipapo muprista achatora rimwe ropa racho nomunwe wake agoriisa panyanga dzearitari yechibayiro chinopiswa agodurura rimwe ropa rose mujinga mearitari. Achabvisa mafuta ose sokubviswa kunoitwa mafuta pagwayana rechibayiro chokuwadzana, uye muprista achazvipisa paaritari pamusoro pezvipiriso zvinoitwa kuna Mwari nomoto. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pachivi chaakaita, uye acharegererwa. “ ‘Kana munhu akatadza nokuti aramba kupa uchapupu iye achinzi ape uchapupu pamusoro pezvaakaona kana zvaakanzwa, achava nemhosva. “ ‘Kana kuti munhu akabata zvinhu zvipi zvazvo chisina kuchena, zvingava zvitunha zvemhuka dzesango dzisina kuchena, kana mombe isina kuchena, kana zvipuka zvisina kuchena zvinofamba pavhu, kunyange asingazvizivi, atova asina kuchena uye ane mhosva. “ ‘Kana kuti akabata zvisakachena zvavanhu, chinhu chipi zvacho chinoita kuti asava akachena, kunyange asingazvizivi, paanozozviziva, achava nemhosva. “ ‘Kana kuti munhu asina kunyatsofungisisa akaita mhiko yokuti achaita chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, panyaya ipi zvayo, munhu yaanenge apika pamusoro payo asina kufungisisa, kunyange zvazvo asingazvizivi, paanozozviziva achava nemhosva. “ ‘Kana munhu akava nemhosva pane chimwe chaizvozvi anofanira kureurura nzira yaakatadza nayo uye somuripo wechivi chaakaita, anofanira kuuya kuna Jehovha negwayana sheshe kana mbudzana sechipiriso chechivi uye muprista achamuyananisira chivi chake. “ ‘Kana asingakwanisi kuuya negwayana anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri kuna Jehovha somuripo wechivi chake, imwe somuripo wechivi, imwe sechipiriso chinopiswa. Anofanira kudziuyisa kumuprista uyo achatanga kupa imwe yacho sechipiriso chechivi. Anofanira kumonyorora mutsipa wayo asingabvisi musoro zvachose. Achasasa rimwe ropa rechipiriso chezvivi kumativi earitari, rimwe ropa rose rinofanira kudururwa mujinga mearitari. Ichi chipiriso chechivi. Ipapo muprista achapa chimwe chacho sechipiriso chinopiswa nenzira yakatarwa agomuyananisira pachivi chaakaita, uye acharegererwa. “ ‘Asi, kana asingakwanisi kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, anofanira kuuya nechipiriso chezvivi zvake chiri chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezvivi. Haafaniri kuisa mafuta kana zvinonhuwira pazviri nokuti chipiriso chechivi. Anofanira kuzviuyisa kumuprista uyo achatora tsama sechikamu chechirangaridzo agozvipisa paaritari pamusoro pezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ichi chipiriso chezvivi. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pazvivi zvose zvaakaita uye acharegererwa. Zvimwe zvose zvezvipiriso zvinosara zvichava zvomuprista, sezvinoitwa nezvipiriso zvezviyo.’ ” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi: “Kana munhu akadarika uye akatadza nokusaziva maererano nezvinhu zvose zvitsvene zvaJehovha, anofanira kuuya kuna Jehovha nomuripo wegondohwe risina kuremara, uye rine muripo unokwanirana nesirivha, maererano neshekeri repanzvimbo tsveneb. Ichi chipiriso chezvivi. Anofanira kuripira zvaakatadza kuita maererano nezvinhu zvitsvene, agowedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu agopa zvose kumuprista, achamuyananisira negondohwe sechipiriso chemhosva, uye acharegererwa. “Kana munhu akatadza uye akaita zvisingabvumirwi pamirayiro ipi zvayo yaJehovha, kunyange asingazvizivi, ane mhosva uye achava nemhaka. Anofanira kuuya kumuprista nechipiriso chemhosva gondohwe risina kuremara uye rine muripo wakafanira. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pakukanganisa kwaakaita nokusaziva, uye acharegererwa. Ichi chipiriso chezvivi, akabatwa nemhosva yaakapara kuna Jehovha.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira, kana kuti akawana nhumbi dzakarasika akareva nhema pamusoro padzo, kana kuti akapika nhema kana kuti akaita chivi chipi zvacho chingaitwa navanhu, kana akatadza kudaro akava nemhosva, anofanira kudzosa zvaakaba kana zvaakatora nokumanikidza, kana kuti zvaakachengeteswa kana kuti zvakarasika zvaakawana, kana kuti chipi zvacho chaakapupura nhema pamusoro pacho. Anofanira kudzorera zvakazara owedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu pazviri agopa zvose kumuridzi pazuva raanouya nechipiriso chemhosva. Somuripo anofanira kuuyisa kumuprista, ndiko kuti kuna Jehovha, chipiriso chake chemhosva chegondohwe, kubva mumakwai, risina kuremara uye rine mutengo unokwanirana. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pamberi paJehovha uye acharegererwa pane zvose zvaakaita zvakamuita kuti ave nemhosva.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Ipa Aroni navanakomana vake murayiro uyu uti, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chinopiswa: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuramba chiri pachoto paaritari usiku hwose, kusvikira mangwanani, uye moto unofanira kuramba uchibvira paaritari. Ipapo muprista achapfeka hanzu dzake dzomucheka, nebhurukwa rake romucheka pamuviri wake, uye achabvisa madota echipiriso chinopiswa nomoto paaritari agoaisa parutivi pearitari. Ipapo anofanira kubvisa nguo idzi ogopfeka dzimwe, uye ogotakura madota aya agoenda nawo kunze kwomusasa kunzvimbo yakacheneswa. Moto uri paaritari unofanira kuramba uchibvira, haufaniri kudzima. Mangwanani oga oga muprista anofanira kuwedzera huni agoronga chipiriso chinopiswa pamoto, agopisa mafuta ezvipiriso zvokuwadzana pairi. Moto unofanira kuramba uchibvira paritari nguva dzose; uye haufaniri kudzima. “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chezviyo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha, pamberi pearitari. Muprista anofanira kutora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuwira zvose pachipiriso chezviyo agopisa chikamu chechirangaridzo paaritari sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Aroni navanakomana vake vachadya zvinosara zvacho, asi zvinofanira kudyiwa zvisina mbiriso panzvimbo tsvene, vanofanira kuzvidyira muchivanze cheTende Rokusangana. Hazvifaniri kubikwa nembiriso, ndazvipa kwavari sechikamu chezvibayiro zvinoitwa kwandiri nomoto. Sechipiriso chezvivi nechipiriso chemhosva, zvitsvene tsvene. Munhurume wose wechizvarwa chaAroni anogona kuzvidya. Chikamu chake chaanofanira kugara achiwana pazvipiriso zvinopiwa kuna Jehovha nomoto kumarudzi achatevera. Munhu wose achabata izvi achava mutsvene.’ ” Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ichi ndicho chibayiro chaAroni navanakomana vake chavanofanira kuuyisa kuna Jehovha pazuva raanozodzwa: chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezviyo chamazuva ose, hafu yacho mangwanani neimwe hafu manheru. Zvibikei namafuta mugango. Muuye nazvo zvakasanganiswa zvakanaka mugouya nechipiriso chezviyo chakamedurwa-medurwa sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Mwanakomana achamutevera somuprista akazodzwa achazvigadzira. Chikamu chamazuva ose chaJehovha uye chinofanira kupiswa chose. Zvose zvipiriso zvezviyo zvomuprista zvichapiswa chose, hazvifaniri kudyiwa.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuna Aroni navanakomana vake, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chechivi. Chipiriso chechivi chinofanira kubayiwa pamberi paJehovha panzvimbo inobayirwa chipiriso chinopiswa; chitsvene-tsvene. Muprista anopa izvozvo achazvidya; zvinofanira kudyirwa panzvimbo tsvene muchivanze cheTende Rokusangana. Chose chinogunzva nyama chichava chitsvene, uye kana rimwe ropa rikawira panguo, unofanira kuisukira panzvimbo tsvene. Hari yevhu inobikirwa nyama inofanira kuputswa; asi kana zvikabikwa mupoto yendarira, poto inofanira kukweshwa igosukurudzwa nemvura. Murume wose ari mumhuri yomuprista anogona kuidya; itsvene-tsvene. Asi chipiriso chechivi, chipi nechipi chine ropa richauyiswa muTende Rokusangana kuti rizoyananisira muNzvimbo Tsvene, hachifaniri kudyiwa; chinofanira kupiswa. “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chemhosva chitsvene-tsvene. Chipiriso chemhosva chinofanira kubayirwa panzvimbo panobayirwa chipiriso chinopiswa uye ropa racho rinofanira kusaswa paaritari kumativi ose. Mafuta acho ose achapiswa sechipiriso, chimuswe chakakora namafuta akafukidza zvomukati, itsvo mbiri namafuta ari padziri pedyo nechiuno, uye zvakafukidza chiropa, zvinofanira kubviswa pamwe chete neitsvo. Muprista anofanira kuzvipisa paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Ichi chipiriso chemhosva. Munhurume upi zvake weimba yomuprista angachidya, asi chinofanira kudyirwa munzvimbo tsvene; chitsvene-tsvene. “ ‘Chipiriso chemhosva chinofanira kuitwa sezvinoitwa nechipiriso chezvivi: ndechomuprista anoyananisira nazvo. Muprista anopisa chipiriso chinopiswa chomunhu upi zvake anogona kuzvichengetera dehwe racho. Zvipiriso zvose zvezviyo zvinobikwa muchitofu kana zvinobikwa mugango kana muhari ndezvomuprista anozvipa, uye zvipiriso zvose zvezviyo zvingava zvakasangana namafuta kana zvakaoma, ndezvavanakomana vaAroni, mumwe nomumwe, zvakamuringana. “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chokuwadzana, chinogona kupiwa nomunhu kuna Jehovha. “ ‘Kana akachipa sechiratidzo chokuvonga ipapo pamwe chete nechipiriso chokuvonga ichi, anofanira kupa makeke echingwa chakabikwa chisina mbiriso, chakaiswa mafuta, makeke matete akabikwa pasina mbiriso, akazorwa mafuta, namakeke oupfu hwakatsetseka akanyatsokanywa akaiswa mafuta. Pamwe chete nechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga anofanira kupa chipiriso chamakeke akabikwa nembiriso. Anofanira kuuya nemhando imwe neimwe sechipiriso, chikamu chinopiwa kuna Jehovha; ndezvomuprista anosasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana. Nyama yechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga inofanira kudyiwa musi wainopiwa. Haafaniri kusiya imwe kusvikira mangwanani. “ ‘Kana chipiriso chake chiri chemhiko kana kuti chiri chipiriso chokungopawo, chibayiro ichocho chichadyiwa musi wachinopiwa, asi chinhu chose chinosara chinogona kudyiwa musi unotevera. Nyama yose yechibayiro inosara kusvikira zuva rechitatu inofanira kupiswa. Kana nyama yechipiriso chokuwadzana ikadyiwa nomusi wechitatu haizogamuchirwi. Hazvigamuchirwi panzvimbo yomunhu anenge azvipa nokuti hazvina kuchena, munhu achadya chikamu chipi chazvo achava nemhosva yacho. “ ‘Nyama inogunzva chisina kucheneswa haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa. Kana iri imwe nyama, munhu wose akacheneswa anogona kuidya. Asi kana munhu asina kuchena akadya nyama iyi yokuwadzana yaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. Kana munhu akabata chinhu chisina kuchena, kunyange kusachena kwavanhu, kana mhuka isina kuchena, kana chose chisina kuchena, chinhu chinonyangadza, uye akazodya nyama ipi yechipiriso chokuwadzana chaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvana veIsraeri, ‘Musadya mafuta api zvawo emombe, makwai kana mbudzi. Mafuta echipfuwo chinenge chawanikwa chakafa kana chabvamburwa nezvikara zvesango anogona kushandiswa pana mamwe mabasa asi hamufaniri kuadya. Munhu wose anodya mafuta emhuka inoitwa nayo chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. Kwose kwose kwamunogara hamufaniri kudya ropa reshiri kana mhuka ipi zvayo. Kana munhu upi zvake akadya ropa, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvana veIsraeri, ‘Munhu wose anouya nechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha anofanira kuuya nechikamu chacho sechibayiro kuna Jehovha. Namaoko ake anofanira kuuya nechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, anofanira kuuya namafuta pamwe chete nechityu, agoninira chityu kuna Jehovha sechipiriso chokuninira. Muprista achapisa mafuta paaritari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vake. Munofanira kupa bandauko rorudyi pazvipiriso zvenyu zvokuwadzana kumuprista somugove wakewo. Mwanakomana waAroni anopa ropa namafuta echipiriso chokuwadzana achatora bandauko rokurudyi somugove wake. Kubva kuzvipiriso zvokuwadzana zvavana veIsraeri ndatora chityu chinoninirwa nebandauko rinouyiswa ndikazvipa kuna Aroni muprista navanakomana vake somugove wavo wavanofanira kugara vachiwana kubva kuvaIsraeri.’ ” Uyu ndiwo mugove wezvibayiro zvinoitirwa Jehovha nomoto zvakapiwa kuna Aroni navanakomana vake pazuva ravakagadzwa kuti vashumire Jehovha savaprista. Pazuva ravakazodzwa, Jehovha akarayira kuti vaIsraeri vape izvi kwavari somugove wavanofanira kugara vachiwana kumarudzi namarudzi achatevera. Zvino iyi ndiyo mirayiro yezvipiriso zvinopiswa, chipiriso chezviyo, chipiriso chechivi, chipiriso chemhosva, chipiriso chokugadzwa nechipiriso chokuwadzana, zvakapiwa Mozisi naJehovha paGomo reSinai pazuva raakarayira vaIsraeri kuti vauye nezvipiriso kuna Jehovha muGwenga reSinai. Jehovha akati kuna Mozisi, “Uya naAroni navanakomana vake, nguo dzavo, mafuta okuzodza nawo, hando yechipiriso chechivi, makondohwe maviri nedengu rine chingwa chisina mbiriso, ugounganidza ungano yose pamusuo weTende Rokusangana.” Mozisi akaita sezvaakaudzwa naJehovha, uye ungano ikaungana pamusuo weTende Rokusangana. Mozisi akati kuungano, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha kuti zviitwe.” Ipapo Mozisi akauya naAroni navanakomana vake mberi akavashambidza nemvura. Akapfekedza Aroni nguo akamusunga bhanire, akamupfekedza jasi, uye akamupfekedza efodhi. Akasungirirawo efodhi paari nebhande rakasonwa nounyanzvi; saka rakasungirirwa paari. Akaisa chidzitiro chepachipfuva paari uye akaisa Urimi neTumimi pachidzitiro chepachipfuva. Ipapo akaisa ngowani pamusoro waAroni, nechemberi akaisa hwendefa regoridhe, iyo korona tsvene, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Ipapo Mozisi akatora mafuta okuzodza akazodza tabhenakeri nezvose zvakanga zvirimo, naizvozvo akazvitsaura. Akasasa mamwe mafuta paaritari kanomwe, achizodza aritari nemidziyo yayo yose nedhishi nechigadziko charo kuti azvitsaure. Akadurura mamwe mafuta okuzodza pamusoro waAroni, akamuzodza achimutsaura. Ipapo akauya navanakomana vaAroni mberi, akavapfekedza nguo, akavasunga zviuno namabhanire akavapfekedza ngowani mumusoro sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Akazouya nehando yechipiriso chechivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wayo. Mozisi akabaya hando akatora rimwe ropa rayo, akariisa panyanga dzose dzearitari kuti achenese aritari. Akadurura rimwe ropa rose mujinga mearitari. Naizvozvo akaitsaura kuti aiyananisire. Mozisi akatora mafuta ose akanga akafukidza nhengo dzomukati, akanga akafukidza chiropa, neitsvo mbiri namafuta adzo, akazvipisa paaritari. Asi hando nedehwe rayo nenyama nezvomukati akazvipisa kunze kwomusasa sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Akauya zvino negondohwe sechipiriso chinopiswa, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro. Ipapo Mozisi akauraya gondohwe akasasa ropa raro paaritari kumativi ose. Akacheka gondohwe kuita zvidimbu uye akapisa musoro, zvidimbu namafuta. Akasuka ura namakumbo nemvura uye akapisa gondohwe rose paaritari sechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Akauya zvino nerimwe gondohwe, gondohwe rokugadza, uye Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro. Mozisi akauraya gondohwe akatora rimwe ropa raro akariisa pamucheto wenzeve yaAroni yokurudyi napamunwe wake woruoko rwokurudyi napagunwe guru retsoka yake yokurudyi. Mozisi akauyawo navanakomana vaAroni mberi akaisa ropa pamucheto wezasi wenzeve dzavo dzokurudyi, paminwe mikuru yamaoko avo okurudyi napazvigunwe zvikuru zvamakumbo avo okurudyi. Akasasa ropa paaritari kumativi ose. Akatora mafuta, chimuswe chakakora, mafuta ose akafukidza ura, akafukidza chiropa, itsvo mbiri namafuta adzo nechidya chokurudyi. Ipapo kubva mudengu rechingwa chisina mbiriso raiva pamberi paJehovha, akatora chingwa, keke rakabikwa namafuta nekeke dete, akaisa izvi panzvimbo dzina mafuta pamusoro pebandauko rokurudyi. Akaisa zvose mumaoko aAroni neevanakomana vake uye vakazvininira kuna Jehovha sechipiriso chokuninira. Ipapo Mozisi akazvitora kubva mumaoko avo akazvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa sechipiriso chokugadza, chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Akatorawo chityu, mugove waMozisi pagondohwe rokugadza akazvininira kuna Jehovha sechipiriso chokuninira sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Ipapo Mozisi akatora mamwe mafuta okuzodza nerimwe ropa kubva paaritari akarisasa pana Aroni navanakomana vake nenguo dzavo. Saizvozvo, akatsaura Aroni nenguo dzake navanakomana vake nenguo dzavo. Ipapo Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, “Bikai nyama pamusuo weTende Rokusangana mugoidyira ipapo nechingwa chomudengu rezvipiriso zvokugadzwa sezvandakarayira ndichiti, ‘Aroni navanakomana vake vanofanira kuchidya.’ Ipapo mugopisa zvose zvasara panyama nechingwa. Musabva pamusuo weTende Rokusangana kwamazuva manomwe kusvikira mazuva okugadzwa kwenyu apera, nokuti kugadzwa kwenyu kuchapedza mazuva manomwe. Zvaitwa nhasi zvakarayirwa naJehovha kuti akuyananisirei. Munofanira kugara pamusuo weTende Rokusangana usiku namasikati kwamazuva manomwe mugoita zvinoda Jehovha kuti musafe nokuti ndizvo zvandarayirwa.” Saka Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Pazuva rorusere Mozisi akadana Aroni navanakomana vake navakuru veIsraeri. Akati kuna Aroni, “Tora hando diki yechipiriso chako chechivi negondohwe rechipiriso chako chinopiswa zvose zvisina kuremara ugouya nazvo kuna Jehovha. Uti kuvana veIsraeri, ‘Torai nhongo yembudzi yechipiriso chechivi, mhuru negwayana zvose zvine gore uye zvisina kuremara sechipiriso chinopiswa nehando negondohwe zvechipiriso chokuwadzana kuti mubayire pamberi paJehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo chakasanganiswa namafuta. Nokuti nhasi Jehovha achazviratidza kwamuri.’ ” Vakatora zvinhu zvakarayirwa naMozisi vakaenda nazvo mberi kweTende Rokusangana uye ungano yose ikauya ikamira pamberi paJehovha. Ipapo Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kuti muite kuti kubwinya kwaJehovha kugoratidzwa kwamuri.” Mozisi akati kuna Aroni, “Uya kuaritari ugobayira chipiriso chako chechivi nechipiriso chako chinopiswa ugozviyananisira iwe navanhu; bayira chipiriso chavanhu ugovayananisira sezvakarayirwa naJehovha.” Saka Aroni akauya kuaritari akabaya mhuru sechipiriso chechivi chake. Vanakomana vake vakauya neropa kwaari akanyika munwe wake muropa akariisa panyanga dzearitari. Rimwe ropa rose akaridururira mujinga mearitari. Akapisa mafuta, itsvo namafuta akafukidza chiropa kubva pachipiriso chechivi paaritari sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Nyama nedehwe akazvipisa kunze kwomusasa. Ipapo akabaya chipiriso chinopiswa, uye vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose. Vakamutambidza chipiriso chinopiswa chidimbu nechidimbu zvichisanganisira musoro akazvipisa paaritari. Akasuka ura namakumbo akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa paaritari. Ipapo Aroni akauya nechipiriso chavanhu, uye akatora mbudzi yechipiriso chavanhu chechivi akaiuraya uye akaipa sechipiriso chechivi sezvaakaita neyokutanga. Akauya nechipiriso chinopiswa akachipa nenzira yakatarwa. Akauyawo nechipiriso chezviyo, akatora tsama yacho akaipisa paaritari achiwedzera pachipiriso chinopiswa mangwanani. Akabaya hando negondohwe sechipiriso chokuwadzana chavanhu. Vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose. Asi mafuta ehando neegondohwe, chimuswe chakakora, fukidziro yamafuta, itsvo nezvinofukidza chiropa, izvi vakazviisa pazvityu. Aroni akapisa mafuta paaritari. Aroni akaninira zvityu nebandauko rokurudyi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira sokurayirwa kwaMozisi. Ipapo Aroni akasimudzira maoko ake kuvanhu akavaropafadza. Apedza kubayira chipiriso chechivi, chipiriso chinopiswa nechipiriso chokuwadzana akaburuka pasi. Mozisi naAroni vakapinda muTende Rokusangana. Pavakabuda vakaropafadza vanhu, uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose. Moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta paaritari. Vanhu vose pavakazviona vakadanidzira nomufaro uye vakawira pasi nezviso zvavo. Zvino Nadhabhi naAbhihu, vanakomana vaAroni vakatora, mumwe nomumwe, hadyana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, vakaisawo zvinonhuwira, vakaisa moto usingabvumirwi pamberi paJehovha zvaakanga asina kuvarayira. Saka naizvozvo moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukavapisa vose ndokubva vafa pamberi paJehovha. Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha paakati: ‘Pakati peavo vachaswedera kwandiri ndicharatidza utsvene hwangu, pamberi pavanhu vose ndichakudzwa.’ ” Mozisi akadana Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri, babamunini vaAroni, akati kwavari, “Uyai pano mutakure madzikoma enyu muende navo kunze kwomusasa vabve pamberi penzvimbo tsvene.” Saka vakauya vakavatakura vachakapfeka hanzu dzavo vakaenda navo kunze kwomusasa sezvazvakanga zvarayirwa naMozisi. Ipapo Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, Ereazari naItamari, “Musarega bvudzi renyu risina kukamiwa uye musabvarura nguo dzenyu nokuti mungafa, Mwari akatsamwira ungano yose. Asi hama dzenyu, imba yose yaIsraeri, vanogona kuchema avo vakaparadzwa nomoto naJehovha. Musabva pamusuo weTende Rokusangana nokuti mungafa nokuti mafuta aJehovha okuzodza ari pamuri.” Saka vakaita sezvakataurwa naMozisi. Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe navanakomana vako hamufaniri kunwa waini kana zvimwe zvinwiwa zvakaviriswa pose pose pamunopinda muTende Rokusangana nokuti mungafa. Uyu mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi anotevera. Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvitsene nezvisingakoshi, pakati pezvakachena nezvisina kuchena. Uye munofanira kudzidzisa vaIsraeri mirayiro yose yavakapiwa naJehovha kubudikidza naMozisi.” Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake vakanga vasara, Ereazari naItamari, “Torai chipiriso chezviyo kubva pazvipiriso zvakaitirwa Jehovha nomoto, zvakagadzirwa pasina mbiriso mugochiisa parutivi pearitari nokuti chitsvene-tsvene. Zvidyei munzvimbo tsvene, nokuti mugove wenyu nomugove wavanakomana venyu, wezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, nokuti ndakarayirwa saizvozvo. Asi iwe navanakomana vako navanasikana vako, munogona kudya chityu chakaninirwa nebandauko rakakumikidzwa. Zvidyei munzvimbo yakacheneswa; izvi zvakapiwa kwauri navana vako somugove wenyu wezvipiriso zvokuwadzana zvavana vaIsraeri. Bandauko rakakumikidzwa nechityu chakaninirwa zvinofanirwa kuuyiswa namafuta nezvipiriso zvinoitwa nomoto, kuti zvininirwe pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira. Uyu uchava mugove wamuchagara muchiwana navana venyu sezvakarayirwa naJehovha.” Mozisi akati abvunza nezvembudzi yechipiriso chechivi akawana yatopiswa, akatsamwira Ereazari naItamari vanakomana vaAroni vakanga vasara akabvunza akati, “Sei musina kudyira chipiriso chechivi munzvimbo tsvene? Chitsvene-tsvene, chakapiwa kwamuri kuti chibvise mhosva yeungano nokuvayananisira pamberi paJehovha. Sezvo ropa racho risina kuuyiswa kuNzvimbo Tsvene, maifanira kudyira mbudzi munharaunda yenzvimbo tsvene, sezvandakarayira.” Aroni akapindura Mozisi achiti, “Nhasi vabayira chipiriso chavo chechivi nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha asi zvinhu zvakaita seizvi zvaitika kwandiri. Jehovha aidai afara here dai ndadya chipiriso chechivi nhasi?” Mozisi paakanzwa izvi akagutsikana. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Taurai kuvaIsraeri muti, ‘Pamhuka dzose dzinofamba panyika, idzi ndidzo dzamunogona kudya: Munogona kudya mhuka ipi zvayo ina mahwanda, akapararana zvachose, uye inozeya zvokudya. “ ‘Asi kune dzimwe dzinongozeya kudya chete, kana kuti dzimwe dzine mahwanda akaparadzana chete, idzi hamufaniri kudzidya. Ngamera, kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka; haina kuchena kwamuri. Mbira kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri. Tsuro kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri. Nguruve kunyange ine mahwanda akanyatsopatsanuka, haizeyi zvokudya, haina kuchena kwamuri. Hamufaniri kudya nyama yazvo kana kubata zvitunha zvazvo; hazvina kuchena kwamuri. “ ‘Pazvisikwa zvose zvinogara mumvura yamakungwa nenzizi, munogona kudya dzose dzine zvimbi namakwati. Asi zvipuka zvose zvomugungwa kana munzizi zvisina zvimbi namakwati, kunyange pakati pezvinouya samatutu kana pakati pezvose zvisikwa zvinorarama mumvura, zvinonyangadza kwamuri. Uye sezvo zvichinyangadza kwamuri hamufaniri kudya nyama yazvo uye munofanira kusema zvitunha zvazvo. Chose chinhu chinorarama mumvura chisina zvimbi namakwati chinonyangadza kwamuri. “ ‘Idzi ndidzo shiri dzamunofanira kusema, uye musadzidya nokuti dzinonyangadza kwamuri: gondo, gora, chapungu, ruvangu rutsvuku, marudzi ose oruvangu rutema, marudzi ose amakunguo, marudzi ose amazizi, shiri yegungwa namarudzi ose oruvangu, nezizi duku, nekanyururahove, nezizi guru, nejichidza, nekondo, negora, neshuramurove, namarudzi ose ekondo, nemhupupu nechiremwaremwa. “ ‘Zvose zvipukanana zvinobhururuka, zvinofamba namakumbo mana zvinonyangadza kwamuri. Kunyange zvakadaro, kunewo zvimwe zvipuka zvine mapapiro zvinofamba namakumbo mana zvamunogona kudya, izvo zvine makumbo akabatanidzwa okukwakuka nawo. Pakati pezvizvi munogona kudya marudzi ose emhashu, namarudzi ose amakurwe namarudzi ebambamukota. Asi zvimwe zvose zvipukanana zvine mapapiro zvine makumbo mana munofanira kuzvisema. “ ‘Musazvisvibisa nezvizvi; ani naani anobata zvitunha zvazvo achava akasviba kusvikira manheru. Ani naani achanhonga chimwe chezvitunha zvazvo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru. “ ‘Mhuka yose yose ina mahwanda akapararana asi asina kunyatsopararana, isingazeyi kudya, haina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chayo achava asina kuchena. Pamhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, idzo dzine tsoka dzakafara hadzina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chadzo achava akasviba kusvikira manheru. Ani naani achanhonga zvitunha zvadzo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru. Hadzina kuchena kwamuri. “ ‘Pamhuka dzinokambaira panyika, idzi hadzina kuchena kwamuri: chidembo, gonzo, namarudzi ose egwavava, chifurira, namarudzi ose amadzvinyu, dhambakura nerwaivhi. Pane zvose zvinokambaira panyika, izvi hazvina kuchena kwamuri. Asi ani naani anozvibata kana zvafa achava akasviba kusvikira manheru. Kana chimwe chazvo chikafa, chikawira pamusoro pechimwe chinhu, chinhu ichocho hazvinei kuti chinoshandiswei, chinova chisina kuchena kunyange chakagadzirwa nomuti, mucheka, dehwe, kana saga. Chiisei mumvura; chichava chisina kuchena kusvikira manheru; chigozochena. Kana chimwe chazvo chikawira muhari yevhu, zvose zviri mairi zvichava zvisina kuchena, uye munofanira kuputsa hari yacho. Chokudya chipi zvacho chinogona kudyiwa, asi chine mvura pachiri, yabva muhari iyoyo chichava chisina kuchena uye kana chipi zvacho chinganwiwa kubva imomo hachina kuchena. Chose chinhu chinowirwa nechitunha chazvo chinova chisina kuchena; choto kana hari yokubikira zvinofanira kuputswa. Hazvina kuchena uye munofanira kuzvibata sezvisina kuchena. Asi chitubu, kana tsime rokuchera mvura zvinoramba zvakachena, asi ani naani anobata chimwe chezvitunha izvi achava asina kuchena. Kana chitunha chikawira pambeu ipi zvayo inofanira kudyarwa, inoramba yakachena. Asi kana mvura yaiswa pambeu, uye chitunha chikawira pairi, inova isina kuchena kwamuri. “ ‘Kana mhuka yamunobvumirwa kudya ikafa yoga, munhu wose achabata chitunha chayo achava asina kuchena kusvikira manheru. Munhu wose achadya imwe nyama yacho anofanira kusuka nguo dzake agova asina kuchena kusvikira manheru. “ ‘Chisikwa chose chinokambaira panyika chinonyangadza, hachifaniri kudyiwa. Hamufaniri kudya chisikwa chipi zvacho chinokambaira panyika, chingava chinofamba nedumbu kana chinofamba namakumbo mana kana namakumbo akawanda, chinonyangadza. Musazvisvibisa nechimwe chezvisikwa izvi. Musazvisvibisa nazvo kana nokuda kwazvo. Ndini Jehovha Mwari wenyu, zvitsaurei mugova vatsvene, nokuti ndiri mutsvene. Musazvisvibisa nechipuka chipi zvacho chinofamba-famba pasi. Ndini Jehovha akakubudisai muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu; saka ivai vatsvene nokuti ndiri mutsvene. “ ‘Ndiyo mitemo iri maererano nemhuka, shiri, zvipenyu zvose zvinofamba mumvura nezvipuka zvose zvinofamba panyika. Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvisina kuchena nezvakachena, pakati pezvisikwa zvipenyu zvinogona kudyiwa nezvisingagoni kudyiwa.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Mukadzi akava napamuviri akabereka mwanakomana, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, sezvaanova asina kuchena paanoenda kumwedzi. Pazuva rorusere mukomana uyo anofanira kudzingiswa. Zvino mukadzi anofanira kumirira mazuva makumi matatu namatatu kuti acheneswe pakubuda ropa kwake. Haafaniri kubata chinhu chipi zvacho chitsvene kana kusvika kunzvimbo tsvene kusvikira mazuva okucheneswa kwake apera. Kana akabereka mwanasikana, kwevhiki mbiri mukadzi achava asina kuchena sepaanoenda kumwedzi. Ipapo anofanira kumira mazuva makumi matanhatu namatanhatu kuti acheneswe kubva pakubuda ropa. “ ‘Kana mazuva okucheneswa nokuda kwomwanakomana kana mwanasikana apera, anofanira kuuya kumuprista pamusuo weTende Rokusangana, negwayana rine gore rimwe chete sechipiriso chinopiswa nehangaiwa diki kana njiva yechipiriso chechivi. Achazvibayira pamberi paJehovha kuti agomuyananisira, achava akacheneswa kubva pakubuda ropa kwake. Iyi ndiyo mirayiro yomukadzi anobatsirwa nomwanakomana kana mwanasikana. Kana asingakwanisi kuuya negwayana, anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, imwe yechipiriso chinopiswa imwe yechipiriso chechivi. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye achava akachena.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Kana ani naani akazvimba kana ane tumapundu kana chivara chichena paganda rake chinogona kunge chiri chirwere chinotapukira anofanira kuuyiswa kuna Aroni muprista kana kuno mumwe wavanakomana vake muprista. Muprista achatarisa chironda chiri paganda rake, uye kana bvudzi riri pachironda rachena uye ronda roratidza kudzika kudarika paganda, chirwere cheganda chinotapukira. Kana muprista akamuongorora achamuzivisa kuvanhu somunhu asina kuchena. Kana gwapa riri paari riri jena asi risingaratidzi kudzika kudarika paganda uye bvudzi risina kuchena, muprista anofanira kugarisa munhu iyeye oga kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye akaona kuti chironda hachina kupinduka uye hachina kupararira muganda anofanira kumuchengeta pake oga kwamamwe mazuva manomwe. Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora zvakare, uye kana chironda chaserera uye chisina kupararira neganda, muprista achamuzivisa somunhu akachena, tunongova tumapundu. Munhu anofanira kusuka nguo dzake uye achava akachena. Asi kana tumapundu tukapararira nomuviri wake shure kwokunge azviratidza kumuprista kuti zviziviswe kuti akachena, anofanira kuenda kumuprista zvakare. Muprista anofanira kumuongorora, uye kana tumapundu twapararira neganda, achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira. “Kana munhu upi zvake ane chirwere chinotapukira, anofanira kuuyiswa kumuprista. Muprista anofanira kumuongorora, uye kana pane kuzvimba nokucheneruka paganda, uye zvapindura bvudzi kuti rive jena, uye kana pane nyama yakatsvuka, pakazvimba, chirwere cheganda chava nenguva uye muprista achazivisa kuti haana kuchena. Haafaniri kumugarisa ari oga, nokuti atogara asina kuchena. “Kana chirwere chikabuda paganda rake rose uye sokuona kwomuprista, chakafukidza ganda rose romunhu abatwa nehosha, kubva kumusoro kusvika kutsoka, muprista anofanira kumuongorora uye kana chirwere chapararira nomuviri wake wose, achazivisa kuti munhu uyu akachena, sezvo zvose zvachenuruka, akachena. Asi pose panoonekwa ronda paari, achava asina kuchena. Muprista paachaona ronda, achazivisa kuti haana kuchena. Ronda harina kuchena ane chirwere chinotapukira. Zvikaitika kuti ronda richeneruke, anofanira kuenda kumuprista. Ipapo muprista anofanira kumuongorora uye kana zvironda zvacheneruka, muprista achazivisa kuti munhu ane hosha uyu akachena, ipapo achava akachena. “Kana munhu akava nemota paganda rake rikapora, uye panzvimbo panga pane mota pakazvimba pakacheneruka kana kuti pakatsvuka, anofanira kuzviratidza kumuprista. Muprista anofanira kumuongorora uye kana zvikaratidza kudzika kudarika paganda uye bvudzi riri pachiri rikapinduka rikava jena, muprista achazivisa kuti haana kuchena, chirwere chinotapukira cheganda chabuda panga pane mota. Asi kana muprista achiongorora, pasina bvudzi jena pachiri uye paserera, ipapo muprista anofanira kumugarisa oga kwamazuva manomwe. Kana zviri kupararira muganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena, zvinotapukira. Asi kana gwapa risina kupinduka uye risina kupararira, rinongova vanga kubva pamota uye muprista achazivisa kuti akachena. “Kana munhu akatsva paganda uye akabuda gwapa dzvuku kana rakacheneruka paronda rokutsva, muprista anofanira kutarisa gwapa uye kana bvudzi riri pariri rapinduka rikava jena uye zvakadzika kudarika ganda, chirwere chinotapukira cheganda chabuda pakatsva. Asi kana muprista akachiongorora, pasina bvudzi jena pagwapa uye kana zvisina kudzika kudarika ganda uye zvaserera, ipapo muprista anofanira kumugarisa oga kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye kana zvichipararira neganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira cheganda. Asi kana gwapa rikasapinduka uye risina kupararira, asi raserera, kuzvimba kunobva pakutsva uye muprista achazivisa kuti akachena, rinongova vanga rinobva pakutsva. “Kana munhurume kana munhukadzi akava nechironda mumusoro kana pachirebvu, muprista anofanira kumuongorora chironda, uye kana chichiratidza kudzika kudarika ganda, uye bvudzi riri machiri riri renhundurwa uye riri dete, muprista achazivisa kuti munhu iyeye haana kuchena, kuswinya, chirwere chinotapukira chomusoro kana chechirebvu. Asi kana muprista akaongorora ronda iri uye kana risingaratidzi kudzika kudarika ganda uye pasina bvudzi dema pariri, zvino muprista anofanira kuchengeta munhu ane hosha ari oga kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora ronda, uye kana kuswinya kusina kupararira uye pasina bvudzi renhundurwa uye risingaratidzi kudzika kudarika ganda, anofanira kuveurwa kusiya kwenzvimbo ine hosha, uye muprista anofanira kumuchengeta ari oga kwamamwe mazuva manomwe. Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora panovava, uye kana pasina kupararira neganda zvichiratidza kuti hazvina kudzika kudarika ganda, muprista achazivisa kuti akachena. Anofanira kusuka nguo dzake agova akachena. Asi kana kuvava kukaparira neganda iye aziviswa kuti akachena, muprista anofanira kumuongorora, uye kana kuvava kwapararira neganda, muprista haafaniri kutsvaga bvudzi renhundurwa, nokuti munhu iyeye haana kuchena. Zvisinei hazvo, zvikaitika kuti sokuona kwake hazvina kupinduka, uye bvudzi dema ramera mazviri, kuvava kwaporeswa, achena uye muprista achazivisa kuti akachena. “Kana munhurume kana munhukadzi ane makwapa machena paganda muprista anofanira kuaongorora uye kana makwapa asina kunyanyochena, tumapundu tusingakuvadzi twabuda paganda, munhu iyeye akachena. “Kana bvudzi romumwe rikabva akasara nemhanza akachena. Kana akabva bvudzi pahuma uye akasara ava nemhanza, akachena. Asi kana ane chironda chichena chakatsvukuruka pamhanza yake kana pahuma, chirwere chinotapukira chabuda pamusoro pake kana pahuma. Muprista anofanira kumuongorora uye kana kuzvimba kuri pamusoro pake kana pamhanza kwakatsvukuruka nokuchena sechirwere chinotapukira cheganda, murume iyeye arwara uye haana kuchena. Muprista anofanira kuzivisa kuti haana kuchena nokuda kwechironda chiri pamusoro wake. “Munhu ane chirwere chinotapukira ichi anofanira kupfeka nguo dzakabvaruka, osiya bvudzi rake risina kukamwa, ofukidza chikamu chepasi cheuso hwake, odanidzira achiti, ‘Handina kuchena! Handina kuchena!’ Kana aramba ane chirwere ichocho anongoramba asina kuchena. Anofanira kugara oga; anofanira kugara kunze kwomusasa. “Kana nguo ipi neipi yazadzwa maperembudzi, ingava nguo yeshinda, kana yewuru kana yomucheka, ungava mucheka wakarukwa kana mucheka wewuru kana wedehwe kana chinhu chakagadzirwa nedehwe, uye kana utachiona huri muchipfeko kana dehwe kana mucheka wakarukwa kana chinhu chedehwe, chiri choruvara rwezerere kana chakatsvukuruka, chirwere chinopararira chamaperembudzi uye chinofanira kuratidzwa kumuprista. Muprista anofanira kuchiongorora agochengeta chinhu chacho pacho choga kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi apararira muchipfeko kana nguo yakarukwa, zvisinei kuti chinoshandiswei, chirwere chinoparadza chamaperembudzi; chinhu ichocho hachina kuchena. Anofanira kupisa nguo yacho, kana mucheka wakarukwa wewuru kana mucheka weshinda, kana wedehwe une utachiona mauri, nokuti maperembudzi anoparadza, chinhu ichocho chinofanira kupiswa. “Asi kana muprista akachiongorora, maperembudzi asina kupararira muchipfeko kana mucheka wakarukwa, kana chinhu chakagadzirwa nedehwe, acharayira kuti chinhu chine utachiona chisukwe. Ipapo anofanira kuchigarisa choga kwamamwe mazuva manomwe. Mushure mokunge chinhu chine utachiona chasukwa, muprista anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi asina kuratidza kupinduka maonekero awo, kunyange zvisina kupararira, hachina kuchena. Pisai chinhu ichocho nomoto kunyange maperembudzi akanganisa divi rimwe chete. Kana muprista akachiongorora, maperembudzi akange aumbuka mushure mokunge chinhu chasukwa, anofanira kubvarura chidimbu chapinda utachiona kubva panguo, kana padehwe kana pamucheka wakarukwa. Asi kana zvikabuda zvakare pachipfeko, kana pamucheka wakarukwa, kana pachinhu chedehwe, zviri kupararira uye chose chine maperembudzi chinofanira kupiswa nomoto. Nguo iyi, kana mucheka wakarukwa, kana chinhu chedehwe chasukwa uye chabviswa maperembudzi, chinofanira kusukwa zvakare uye chichava chakachena.” Iyi ndiyo mirayiro inoenderana nokuzadzwa namaperembudzi kwechipfeko chewuru kana chomucheka, mucheka wakarukwa kana chinhu chose chedehwe kuti zvigoziviswa kuti zvakachena kana kuti hazvina kuchena. Jehovha akati kuna Mozisi: “Iyi ndiyo mirayiro yomunhu ane chirwere panguva yake yokucheneswa kana auyiswa kumuprista: Muprista anofanira kuenda kunze kwomusasa agomuongorora. Kana munhu aponeswa kubva kumaperembudzi, muprista acharayira kuti shiri mbiri mhenyu dzakachena, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi zviuyiswe kuti acheneswe. Ipapo muprista acharayirwa kuti imwe yeshiri idzi iurayiwe pamusoro pemvura yakachena muhari yevhu. Anofanira zvino kutora shiri mhenyu oinyika pamwe chete nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi muropa reshiri yaurayiwa pamusoro pemvura yakachena. Achasasa uyo anofanira kucheneswa kubva kuchirwere chamaperembudzi kanomwe, agozivisa kuti akachena. Ipapo anofanira kuregera shiri mhenyu ichienda musango. “Munhu anofanira kucheneswa anofanira kusuka nguo dzake agoveura bvudzi rake rose agoshamba nemvura, ipapo achava akacheneswa. Mushure maizvozvi anogona kuuya mumusasa asi anofanira kugara kunze kwetende rake kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe anofanira kuveura bvudzi rake rose. Anofanira kuveura musoro wake, ndebvu dzake, tsiye dzake, nerimwe bvudzi rake rose. Anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura uye achava akachena. “Pazuva rorusere anofanira kuuya namakwayana maviri amakondohwe nesheshe imwe chete, dzose dzine gore dzisina kuremara, pamwe chete nezvikamu zvitatu kubva mugumi zveefaa zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta sechipiriso chezviyo nerogib imwe chete yamafuta. Muprista achazivisa kuti akachena, anofanira kuuya nouya anofanira kucheneswa nezvipiriso zvake pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana. “Ipapo muprista anofanira kutora gwayana rimwe chete gono agoripa sechipiriso chemhosva pamwe chete nerogi ramafuta; achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira. Anofanira kubaya gwayana panzvimbo tsvene apo panobayirwa chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa. Sezvakaita chipiriso chezvivi, chipiriso chemhosva ndechomuprista, chitsvene-tsvene. Muprista anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva agoriisa pamucheto wenzeve yokurudyi yomunhu anocheneswa, pamunwe wake mukuru wokuruoko rwokurudyi uye napachigunwe chikuru chetsoka yake yokurudyi. Ipapo muprista achatora imwe rogi yamafuta agodira muchanza choruoko rwake rworuboshwe, agonyika munwe wake wokutendeka nawo wokurudyi mumafuta ari muchanza choruoko rwake agosasa mamwe acho nomunwe kanomwe pamberi paJehovha. Muprista achaisa mamwe mafuta anosara muchanza panzeve yokurudyi youyo anofanira kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwake rwokurudyi nepachigunwe chikuru chegumbo rake rokurudyi pamusoro peropa rechipiriso chemhosva. Mamwe mafuta ose ari muchanza make muprista achaaisa pamusoro pouyo achada kucheneswa, agomuyananisira pamberi paJehovha. “Ipapo muprista achabayira chipiriso chechivi agoyananisira uyo anofanira kucheneswa kubva pakusachena kwake. Mushure maizvozvo muprista achabaya chipiriso chinopiswa agochipa paaritari pamwe nechipiriso chezviyo, agomuyananisira, uye achava akachena. “Zvino kana ari murombo asingakwanisi kuuya naizvozvi, anofanira kutora gwayana gono sechipiriso chemhosva kuti aninire agomuyananisira pamwe chete nechikamu chimwe chete kubva mugumi cheefac youpfu hwakatsetseka hwakasangana namafuta sechipiriso chezviyo, zvikamu zviviri kubva muzvitatu zverogi ramafuta, njiva mbiri kana hangaiwa mbiri dzaanokwanisa kuuya nadzo, imwe yechipiriso chechivi neimwe yechipiriso chinopiswa. “Pazuva rorusere anofanira kuzviuyisa kumuprista pamusuo weTende Rokusangana pamberi paJehovha, kuti acheneswe. Muprista anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva nerogi ramafuta agozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira. Achabaya gwayana rechipiriso chemhosva agotora rimwe ropa raro agoriisa panzeve yokurudyi yomunhu anoda kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwokurudyi napachigunwe chikuru chepagumbo rokurudyi. Muprista achadira mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe uye nomunwe wake wokurudyi wokutendeka nawo agomwaya mamwe mafuta anobva muchanza chake kanomwe pamberi paJehovha. Mamwe mafuta ari muchanza chake anofanira kuaisa munzvimbo dzimwe chetedzo dzaakaisa ropa rechipiriso chemhosva panzeve yokurudyi youyo anoda kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwake rwokurudyi napachigunwe chikuru chegumbo rake rokurudyi. Mamwe mafuta ose achasara muchanza muprista achaaisa mumusoro mouyo anofanira kucheneswa, kuti ayananisirwe pamberi paJehovha. Ipapo achabayira njiva kana hangaiwa diki izvo zvaanogona kuwana, imwe sechipiriso chechivi neimwe sechipiriso chinopiswa pamwe chete nechipiriso chezviyo. Nenzira iyi muprista achayananisira pamberi paJehovha, panzvimbo youya anofanira kucheneswa.” Iyi ndiyo mirayiro pamusoro pouyo ane chirwere chamaperembudzi uye asingakwanisi kuuya nezvipiriso zvinofanira kupiwa kuti acheneswe. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Kana mapinda munyika yeKenani iyo yandiri kukupai senhaka, ndikaita chirwere chinopararira chamaperembudzi muimba iri munyika iyoyo, muridzi weimba anofanira kuenda kundoudza muprista kuti, ‘Ndaona chimwe chinhu chinenge maperembudzi mumba mangu.’ Ipapo muprista anofanira kurayira kuti vabudise zvose zviri mumba muprista asati apinda kundotarira hosha, kuti kurege kuva nechinhu chiri mumba chichanzi hachina kuchena. Mushure maizvozvo muprista anofanira kupinda agoongorora imba. Anofanira kuongorora maperembudzi ari mumadziro eimba uye kana ane mavara akapinda akaita soruvara rwezerere kana matsvuku akaita saakapinda mukati mamadziro, muprista anofanira kubuda napamusuo wemba agoipfiga kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe muprista achadzoka kuzoongorora imba. Kana maperembudzi apararira pamadziro, anofanira kurayira kuti matombo ane utachiona abviswe agorasirwa kunzvimbo isina kuchena kunze kweguta. Ipapo ngaarayire kuti madziro ose omukati memba aparwe uye zvaparwa zvigoraswa kunzvimbo isina kuchena kunze kweguta. Ipapo vanofanira kutora mamwe matombo vagotsiva aya vagotora ivhu idzva vakodzura imba. “Kana maperembudzi akaonekwa zvakare mumba mushure mokunge matombo abviswa imba yaparwa yadzurwa, muprista anofanira kuenda kunozvinan'anidza. Kana maperembudzi apararira ihosha inoparadza, imba haina kuchena. Inofanira kupazwa, matombo ayo, mapuranga nokudzura kwose, zvotorwa zvoendeswa kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena. “Munhu upi noupi achapinda muimba iyi painenge ichakapfigwa achava asina kuchena kusvika manheru. Munhu wose achavata kana kuti achadya ari mumba iyoyo anofanira kusuka nguo dzake. “Asi kana muprista akauya kuzoiongorora, akaona kuti maperembudzi haana kupararira mumba mushure mokunge yadzurwa, achati imba yakachena nokuti maperembudzi aenda. Kuti anatse imba, anofanira kutora shiri mbiri nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi. Achaurayira imwe shiri pamusoro pemvura yakachena iri muhari yevhu. Ipapo anofanira kutora puranga romusidhari, hisopi, mucheka mutsvuku, shinda neshiri mhenyu ozvinyika muropa reshiri yafa nemvura yakachena, uye agosasa mumba kanomwe. Achanatsa imba neropa reshiri, mvura yakachena, shiri mhenyu, puranga romusidhari, hisopi uye nomucheka mutsvuku. Ipapo anofanira kuregedza shiri mhenyu kuti iende hayo kunze kweguta kusango. Nenzira iyi achayananisira imba uye ichava yakachena.” Iyi ndiyo mirayiro yechirwere chamaperembudzi, kuswinya, maperembudzi pamucheka kana mumba, uye kuzvimba, kufunuka, kana gwapa rakacheneruka, kuti mugoziva kuti chinhu chakachena kana kuti hachina kuchena. Iyi ndiyo mirayiro yezvirwere zvinotapuriranwa zvamaperembudzi. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Taurai navaIsraeri muti kwavari, ‘Kana murume ane zvimwe zvinoerera, zvinobuda pamuviri wake, achava asina kunaka nokuda kwokuerera uku. Kunyange zvikaramba zvichibuda mumuviri wake kana kuti zvikamira zvichamuita kuti ave asina kuchena. Izvi ndizvo zvinoita kuti kuerera uku kumuite kuti ave asina kuchena. “ ‘Mubhedha upi zvawo unorarwa nomurume anobuda zvinoerera mumuviri wake uchava usina kuchena, uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena. Munhu wose anobata mubhedha wake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru. Ani naani achagara pachigaro chagarwa nomurume anobuda zvinoerera anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. “ ‘Ani naani achabata murume iyeye anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. “ ‘Kana murume iyeye akasvipira mumwe munhu akachena, achava asina kuchena kusvikira manheru. “ ‘Chinhu chose chichatasvwa nomurume iyeye chichava chisina kuchena, uye ani naani achabata zvinhu zvanga zviri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru; ani naani anonhonga zvinhu izvozvo anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. “ ‘Ani naani achabatwa nomurume iyeye asina kushamba maoko ake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. “ ‘Hari yevhu ichabatwa nomurume iyeye inofanira kuputswa uye mudziyo upi zvawo wakagadzirwa nomuti unofanira kusukwa nemvura. “ ‘Kana murume acheneswa kubva pakuerera kwake anofanira kuverenga mazuva manomwe okucheneswa kwake; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura yakachena, uye achava akachena. Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana agodzipa kumuprista. Muprista anofanira kudzibayira, imwe sechipiriso chechivi uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwokuerera kwake. “ ‘Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushamba muviri wake wose nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. Kunyange chipfeko chake kana dehwe rine mbeu rinofanira kusukwa nemvura uye zvichava zvisina kuchena kusvikira manheru. Kana murume akavata nomukadzi uye akabuda mbeu, vaviri ava vanofanira kushamba nemvura uye vachava vasina kuchena kusvikira manheru. “ ‘Kana mukadzi ari kumwedzi, kusachena kwokuenda kumwedzi kwake kuchapera mushure mamazuva manomwe, uye ani naani achamubata achava asina kuchena kusvikira manheru. “ ‘Chinhu chose chaachavata pachiri achiri kutevera chichava chisina kuchena uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena. Ani naani achabata paanovata anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvika manheru. Ani naani achabata chinhu chaachagara anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. Mubhedha kana chimwe chinhu chaanga akagara, kana munhu upi noupi akachibata achava asina kuchena kusvikira manheru. “ ‘Kana murume akavata naye uye kuerera kwake kwomwedzi kukasangana naye, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, kunyange mubhedha waanovata pauri uchava usina kuchena. “ ‘Kana mukadzi ano kuerera kweropa kwamazuva akawanda panguva isiri yokuva kwake kumwedzi kana kuti akava nokuerera kunoenderera kupfuura nguva yake yokuva kumwedzi kwake, achava asina kuchena kwenguva yaanobuda ropa sapamazuva ake okuva kumwedzi. Mubhedha upi zvawo waachavata pauri panguva yaanenge achiri kubuda ropa, uchava usina kuchena somubhedha wapakuva kwake kumwedzi, chose chaachagara chichava chisina kuchena sapanguva yokuva kwake kumwedzi. Ani naani achazvibata achava asina kuchena; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. “ ‘Kana achinge acheneswa kubva pakuerera kwake anofanira kuverenga mazuva manomwe, mushure maizvozvo achava akachena. Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki agouya nadzo kumuprista pamusuo weTende Rokusangana. Muprista anofanira kubayira imwe sechipiriso chechivi, uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha pakusachena kwake kwokubuda ropa. “ ‘Munofanira kutsaura vaIsraeri kubva pazvinhu zvose zvinoita kuti vave vasina kuchena, kuitira kuti vasafa mukusachena kwavo nokuda kwokuti vasvibisa nzvimbo yandinogara, iri pakati penyu.’ ” Iyi ndiyo mirayiro yomurume anenge ane zvinoerera, youpi noupi anenge asvibiswa nokubuda kwezvinoerera, yomukadzi anenge ari kumwedzi, yomurume kana mukadzi anenge ane zvinoerera, uye neyomurume anovata nomukadzi anenge asina kuchena. Jehovha akataura naMozisi mushure mokufa kwavanakomana vaAroni vaviri avo vakafa pavakaswedera kuna Jehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza mukoma wako Aroni kuti asangopinda paanodira muNzvimbo Tsvene-tsvene kuseri kwechidzitiro pamberi pechigaro chenyasha paaereka, nokuti angangofa, nokuti ndinozviratidza mugore pamusoro pechigaro chenyasha. “Aya ndiwo mapindiro anofanira kuita Aroni munzvimbo tsvene: apinde nehando diki yechipiriso chechivi uye negondohwe rechipiriso chinopiswa. Anofanira kupfeka nguo tsvene yomucheka, nguo dzomukati dzomucheka pamuviri wake; anofanira kusunga bhanhire romucheka muchiuno chake agopfeka nguwani yomucheka. Idzi ndidzo nguo tsvene, saka anofanira kushamba nemvura asati adzipfeka. Kubva kuungano yavaIsraeri anofanira kutora nhongo mbiri dzechipiriso chechivi uye negondohwe rechipiriso chinopiswa. “Aroni anofanira kupa hando yechipiriso chechivi chake kuti azviyananisire iye nemhuri yake. Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana. Anofanira kukanda mijenya pambudzi mbiri idzi, mumwe mujenya waJehovha nomumwe wembudzi yokutakudzwa. Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya waJehovha agoibayira sechipiriso chechivi. Asi mbudzi inosarudzwa nomujenya sembudzi yokutakudzwa ichauyiswa iri mhenyu pamberi paJehovha igoshandiswa pakuyananisira, icharegedzwa ichienda kurenje sembudzi yokutakudzwa. “Aroni anofanira kuuya nehando yake yechipiriso chake chechivi, kuti azviyananisire iye nemhuri yake, uye anofanira kubaya hando yechipiriso chake chechivi. Anofanira kutora hadyana yakazara namazimbe ari kubvira kubva paaritari pamberi paJehovha nezvanza zviviri zvezvinonhuwira zvakatsetseka agoenda nazvo seri kwechidzitiro. Anofanira kuisa zvinonhuwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, uye utsi hwezvinonhuwira huchafukidza chigaro chenyasha pamusoro peChipupuriro, kuti asafa. Anofanira kutora rimwe ropa rehando uye nomunwe wake agorisasa pamberi pechigaro chenyasha. “Ipapo anofanira kubaya mbudzi yechipiriso chechivi chavanhu agotora agoenda neropa racho seri kwechidzitiro agoita naro sezvaakaita neropa rehando. Acharisasa pachigaro chenyasha napamberi pacho. Nenzira iyi achayananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene nokuda kwokudarika uye nokumukira kwavaIsraeri, zvisinei kuti zvivi zvavo zvanga zviri zvipi. Anofanira kuitira Tende Rokusangana zvimwe chetezvo, iro riri pakati pavo, pakati pokusachena kwavo. Hapana munhu anofanira kunge ari muTende Rokusangana panguva inopindwamo naAroni kunoyananisira muNzvimbo Tsvene-tsvene kusvikira abuda, azviyananisira iye nemhuri yake uye neungano yose yavaIsraeri. “Ipapo achabuda oenda kuaritari iri pamberi paJehovha agoiyananisira. Achatora rimwe ropa rehando nerembudzi agoriisa panyanga dzose dzearitari. Achasasa rimwe ropa racho pairi nomunwe wake kanomwe kuti aichenese uye aitsaure kubva pakusachena kwavaIsraeri. “Kana Aroni apedza kuyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene, Tende Rokusangana nearitari, achauya nembudzi mhenyu. Anofanira kuisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu agoreurura pamusoro payo kuipa nokumukira kwose kwavaIsraeri, zvivi zvavo zvose agozviisa pamusoro pembudzi. Acharega mbudzi ichienda kurenje nomunhu anenge apiwa basa iroro. Mbudzi iyi ichatakura pairi zvivi zvavo zvose kunzvimbo isina vanhu, uye munhu uyu achairegedzera murenje. “Ipapo Aroni achapinda muTende Rokusangana agobvisa nguo dzomucheka dzaapfeka asati apinda muNzvimbo Tsvene-tsvene uye achadzisiya ipapo. Achashamba nemvura munzvimbo tsvene agopfeka nguo dzake dzamazuva ose. Ipapo achabuda agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, agozviyananisira iye navanhu. Achapisawo mafuta echipiriso chechivi paaritari. “Murume achandoregedzera mbudzi yokutakudzwa, anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura; mushure maizvozvo agozopinda mumusasa. Hando yechipiriso chezvivi nembudzi yechipiriso chezvivi, zvine ropa rinenge rauyiswa muNzvimbo Tsvene-tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kuendeswa kunze kwomusasa, matehwe acho, nyama namazvizvi zvinofanira kupiswa. Munhu anozvipisa anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura mushure maizvozvo agozopinda mumusasa. “Uyu unofanira kuva mutemo unogara nokusingaperi kwamuri: Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kutsanya musingaiti kana basa, chingava chizvarwa chenyu kana mutorwa agere pakati penyu, nokuti pazuva iri muchayananisirwa, kuti mucheneswe. Ipapo, pamberi paJehovha muchava vakachena pazvivi zvenyu zvose. Isabata rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima; uyu murayiro unogara nokusingaperi. Muprista akazodzwa nokugadzwa kuti atevere baba vake somuprista mukuru anofanira kuyananisira. Anofanira kupfeka nguo dzomucheka, nguo tsvene agoyananisira Nzvimbo Tsvenetsvene neTende Rokusangana, nearitari uye navaprista navamwe vanhu vose veungano. “Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kwamuri: Kuyananisira uku kunofanira kuitwa kamwe chete pagore, nokuda kwezvivi zvose zvavaIsraeri.” Uye zvakaitwa, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: MuIsraeri upi zvake anobayira nzombe, gwayana kana mbudzi mumusasa kana kunze kwawo, panzvimbo yokuuya nayo pamusuo weTende Rokusangana kuti aipe sechipiriso kuna Jehovha pamberi petabhenakeri yaJehovha, murume iyeye achanzi ane mhosva yokudeura ropa; adeura ropa saka anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. Izvi zvinoitirwa kuti vaIsraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, kuna Jehovha. Vanofanira kuuya nazvo kumuprista, ndiko kuti, kuna Jehovha, pamusuo wokupinda muTende Rokusangana vagozvibayira sezvipiriso zvokuwadzana. Muprista achasasa ropa paaritari yaJehovha pamusuo weTende Rokusangana agopisa mafuta kuti ave chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Havafanirizve kupa zvibayiro zvavo zvakare kuzvifananidzo zvembudzi izvo zvavanoita ufeve nazvo. Uyu uchava murayiro unogara nokusingaperi kwavari uye nokumarudzi achatevera.’ “Uti kwavari: ‘MuIsraeri upi zvake kana mutorwa agere pakati pavo anopa chipiriso chinopiswa kana chibayiro uye agorega kuuya nacho kumusuo weTende Rokusangana kuzochipa kuna Jehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. “ ‘MuIsraeri upi zvake kana mutorwa agere pakati pavo anodya ropa ripi zvaro ndichanangana nomunhu iyeye anodya ropa uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake. Nokuti upenyu hwenyama huri muropa uye ndaripa kwamuri kuti rikuyananisirei paaritari; ropa ndiro rinoyananisira upenyu hwomunhu. Naizvozvo ndinoti kuvaIsraeri, “Hapana mumwe wenyu anofanira kudya ropa, uye hapana mutorwa agere pakati penyu anofanira kudya ropa.” “ ‘MuIsraeri upi zvake kana mutorwa agere pakati penyu anovhima mhuka ipi neipi ingadyiwa, anofanira kudurura ropa rayo agorifusira nevhu, nokuti upenyu hwechisikwa chose iropa racho. Ndiko kusaka ndati kuvaIsraeri, “Hamufaniri kudya ropa rechisikwa chipi zvacho nokuti upenyu hwechisikwa huri muropa; ani naani anoridya anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.” “ ‘Ani naani, angava chizvarwa chenyu kana mutorwa, anodya chinhu chinowanikwa chakafa, kana kuti chinowanikwa chakabvarurwa nemhuka dzomusango, anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru; ipapo achava akachena. Asi kana akarega kusuka nguo dzake akashamba iye, achapiwa mhosva.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu. Hamufaniri kuita sezvavanoita kuIjipiti, kwamaigara uye hamufaniri kuita sezvavanoita kuKenani, kwandiri kukuendesai. Musatevera zviito zvavo. Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu. Chengetai mirayiro nemitemo yangu nokuti munhu anoiteerera achararama nayo. Ndini Jehovha. “ ‘Hapana anofanira kuswedera kuhama yepedyo kuti avate naye. Ndini Jehovha. “ ‘Usazvidza baba vako nokusangana namai vako. Ndimai vako usasangana navo. “ ‘Usasangana nomukadzi wababa vako izvi zvingazvidza baba vako. “ ‘Usasangana nehanzvadzi yako kana mwanasikana wababa vako kana mwanasikana wamai vako, zvisinei kuti akaberekwa mumba mumwe chete kana kumwewo. “ ‘Usasangana nomwanasikana womwanakomana wako kana mwanasikana womwanasikana wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwauri. “ ‘Usasangana nomwanasikana womukadzi wababa vako akaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako. “ ‘Usasangana nehanzvadzi yababa vako ihama yababa vako yepedyo. “ ‘Usasangana nomukoma kana munun'una wamai vako nokuti ihama yamai vako yepedyo. “ ‘Usazvidza munun'una kana mukoma wababa vako nokuswedera kumukadzi wavo kuti uvate naye; nokuti ndimaiguru kana mainini. “ ‘Usasangana nomuroora wako mukadzi womwanakomana wako; usasangana naye. “ ‘Usasangana nomukadzi womukoma kana munun'una wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwomukoma kana munun'una wako. “ ‘Usasangana nomukadzi pamwe chete nomwanasikana wake. Usasangana nomwanasikana womwanakomana wake kana mwanasikana womwanasikana wake; ihama dzake dzepedyo. Zvakaipa izvozvo. “ ‘Usatora munun'una womukadzi wako kuti ave mukadzinyina, varwisane, ugosangana naye mukadzi wako achiri mupenyu. “ ‘Usaswedera kumukadzi kuti usangane naye panguva yokusachena kwokuenda kumwedzi kwake. “ ‘Usasangana nomukadzi womuvakidzani wako ugozvisvibisa naye. “ ‘Usapa ani zvake pakati pavana vako kuti vabayirwe kuna Moreki nokuti haufaniri kumhura zita raJehovha. Ndini Jehovha. “ ‘Usavata nomurume somurume anovata nomukadzi; zvinonyangadza. “ ‘Usasangana nemhuka uye ugozvisvibisa nayo. Mukadzi haafaniri kuzvipa kumhuka kuti asangane nayo; uku kunyangadza kukuru. “ ‘Musazvisvibisa neimwe yenzira idzi nokuti ndudzi dzandichadzinga pamberi penyu dzakazvisvibisa naizvozvo. Kunyange nyika yakasvibiswa; naizvozvo ndakairanga nokuda kwezvakaipa zvayo uye nyika yakarutsa vagari vayo. Asi imi munofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu. Zvizvarwa zvenyu navatorwa vagere pakati penyu havafaniri kuita kana chimwe chezvinhu zvinonyangadza izvi, nokuti zvinhu zvose izvi zvakaitwa navanhu vaigara munyika iyoyo musati mavamo, uye nyika ikasvibiswa. Uye kana mukasvibisa nyika, ichakurutsirai kunze sokurutsa kwayakaita marudzi aigaramo imi musati mavamo. “ ‘Ani naani anoita zvinonyangadza izvi, vanhu vakadaro vanofanira kubviswa kubva pavanhu vokwavo. Chengetai zvandakakurayirai uye musatevedzera kana imwe yetsika dzinonyangadza dzaiitwa musati mauya, uye musazvisvibisa nadzo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuungano yose yeIsraeri uti kwavari, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene. “ ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuremekedza mai nababa vake uye munofanira kuchengetedza maSabata angu. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira zvimwari zvesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Kana uchipa Jehovha chibayiro chechipiriso chokuwadzana, unofanira kuchipa nenzira inoita kuti chigamuchirwe pachinzvimbo chako. Chichadyiwa nomusi waunochibayira kana zuva rinotevera; chinhu chipi nechipi chinosiyiwa kusvika pazuva rechitatu chinofanira kupiswa. Kana zvimwe zvacho zvikadyiwa pazuva rechitatu hazvina kuchena uye hazvigamuchirwi. Ani naani anozvidya achapiwa mhosva nokuti asvibisa chitsvene kuna Mwari; munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. “ ‘Kana uchikohwa mumunda wako usakohwa kusvika kumuchetocheto womunda wako, kana kunhongera zvawira pasi pakukohwa. Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Usaba. “ ‘Usareva nhema. “ ‘Musanyengedzana. “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha. “ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumubira nechisimba. “ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana. “ ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha. “ ‘Usaminamisa kururamisira, usatsaura murombo uchifarira mupfumi, asi tonga muvakidzani wako zvakakodzera. “ ‘Usafamba uchiparadzira makuhwa pakati pavanhu vokwako. “ ‘Usaita chinhu chinoisa upenyu hwomuvakidzani wako panjodzi. Ndini Jehovha. “ ‘Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake. “ ‘Usatsvaka kutsiva kana kugara nedaka nomumwe wavanhu vokwako asi ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe. Ndini Jehovha. “ ‘Chengeta mirayiro yangu. “ ‘Usaberekesa mhando dzemhuka dzakasiyana. “ ‘Usadyara mbeu mbiri dzakasiyana mumunda mako. “ ‘Usapfeka nguo yakarukwa nemicheka miviri yakasiyana. “ ‘Kana murume akavata nomukadzi ari murandakadzi akavimbiswa kuno mumwe murume, asi mukadzi asina kudzikinurwa kana kupiwa rusununguko rwake, panofanira kuva nokurangwa kwakakodzera. Asi haafaniri kuurayiwa nokuti mukadzi uyu anga asati asunungurwa. Zvisinei, murume uyu anofanira kuuya negondohwe kumusuo weTende Rokusangana rechipiriso chemhosva kuna Jehovha. Negondohwe rechipiriso chemhosva muprista anofanira kumuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwechivi chaakaita, uye chivi chake chicharegererwa. “ ‘Kana mapinda munyika iyo mukadyara muchero upi noupi, torai michero yacho seisingabvumirwi. Kwamakore matatu munofanira kuitora seisingabvumirwi. Haifaniri kudyiwa. Mugore rechina, michero yacho yose ichava mitsvene, chipiriso chokurumbidza kuna Jehovha. Asi mugore rechishanu mungadya michero yacho. Nenzira iyi gohwo renyu richawedzerwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Usadya nyama ipi neipi ichine ropa. “ ‘Usaita zvokushopera kana zvouroyi. “ ‘Musacheka bvudzi renyu kumativi omusoro kana kudimurira ndebvu dzenyu. “ ‘Musacheka miviri yenyu nokuda kwavakafa kana kuzviisa nyora. Ndini Jehovha. “ ‘Usaderedza unhu hwomwanasikana wako nokumuita chifeve nokuti nyika yose ichaita ufeve ikazara nouipi. “ ‘Chengetedza maSabata angu uye uremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha. “ ‘Usaenda kumasvikiro nokune vezvemidzimu nokuti uchasvibiswa navo. Ndini Jehovha Mwari wako. “ ‘Unofanira kusimukira vachena bvudzi, ratidza rukudzo kuna vakuru uye utye Mwari wako. Ndini Jehovha. “ ‘Kana mutorwa akagara nemi munyika, musamubate zvakaipa. Mutorwa anogara nemi anofanira kubatwa sechizvarwa chenyu. Mudei sokuda kwamunozviita imi nokuti maiva vatorwa muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Musashandise zviero zvokubiridzira kana muchiera urefu, uremu kana uwandu. Shandisai zviyero zvechokwadi efaa rechokwadi nehinib rechokwadi. Ndini Jehovha Mwari wenyu akakubudisai muIjipiti. “ ‘Chengetai mirayiro yangu yose nemitemo yangu yose, mugoitevera. Ndini Jehovha.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘MuIsraeri upi noupi kana mutorwa upi noupi agere muIsraeri achapa vana vake kuna Moreki anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yake vanofanira kumutaka namabwe. Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura zita rangu dzvene. Kana vanhu vomunyika yake vakashaya hanya kana munhu uyu achipa mumwe wavana vake kuna Moreki vakasamuuraya, ndichanangana nomunhu uyo nemhuri yake, uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, iye pamwe chete navose vanomutevera pakuita ufeve naMoreki. “ ‘Ndichanangana nomunhu uyo achaenda kumasvikiro, nokuvadzimu achiita ufeve nokuvatevera uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake. “ ‘Zvitsaurei mugove vatsvene nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu. Chengetai mitemo yangu mugoitevera. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene. “ ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa. Atuka baba kana mai vake uye ropa rake richava pamusoro pake. “ ‘Kana mumwe akaita upombwe nomukadzi womumwe murume, kana nomukadzi womuvakidzani wake, vose murume mhombwe nomukadzi chifeve vanofanira kuurayiwa. “ ‘Kana murume akavata nomukadzi wababa vake azvidza baba vake. Vose murume nomukadzi vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo. “ ‘Kana mumwe akavata nomuroora wake, vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa, zvavaita kunyangadza kukuru; ropa ravo richava pamusoro pavo. “ ‘Kana mumwe akavata nomurume seanovata nomukadzi vose vari vaviri vaita zvinonyangadza. Vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo. “ ‘Kana mumwe akawana mukadzi pamwe chete namai vake, zvakaipa. Vose iye naivo vanofanira kupiswa mumoto kuitira kuti pasawanikwe kuipa pakati penyu. “ ‘Kana murume akavata nemhuka anofanira kuurayiwa uye munofanira kuuraya mhuka yacho. “ ‘Kana mukadzi akaswedera kumhuka kuti avate nayo, urayai zvose mukadzi nemhuka yacho. Vanofanira kuurayiwa; ropa ravo richava pamusoro pavo. “ ‘Kana murume akawana hanzvadzi yake mwanasikana wababa vake, kana kuti wamai vake, uye vakavata vose, ichi chinyadziso. Vanofanira kubviswa pamberi pameso avanhu vokwavo. Azvidza hanzvadzi yake uye achava nemhosva. “ ‘Kana murume akavata nomukadzi panguva yokuva kwake kumwedzi akasangana naye, afumura chaipo panobva kuyerera kwake, mukadziwo azvifumura. Vose vari vaviri vanofanira kubviswa pavanhu vokwavo. “ ‘Usavata namainini kana vatete vako nokuti uku kuzvidza hama yapedyo; mose muri vaviri muchava nemhosva. “ ‘Kana murume akavata nomukadzi wababamunini vake azvidza babamunini vake. Vachava nemhosva; vachafa vasina vana. “ ‘Kana murume akawana mukadzi womukoma kana munun'una ichi chinhu chisina kunaka, azvidza mukoma kana munun'una wake. Vachashaya vana. “ ‘Chengetai mirayiro yangu nemitemo yangu mugoitevera kuitira kuti nyika yandiri kukuendesai kwairi irege kukurutsirai kunze. Hamufaniri kutevera tsika dzamarudzi andichadzinga pamberi penyu. Nokuti vakaita zvinhu zvose izvi, ndikavasema. Asi ndakati kwamuri, “Muchatora nyika yavo. Ndichaipa kwamuri senhaka, nyika inoerera mukaka nouchi.” Ndini Jehovha Mwari wenyu uyo akakutsaurai kubva kune dzimwe ndudzi. “ ‘Naizvozvo unofanira kuisa mutsauko pakati pemhuka dzakachena nedzisina kuchena uye pakati peshiri dzakachena nedzisina kuchena. Musazvisvibisa nemhuka ipi zvayo kana shiri kana chimwe chinhu chinofamba pavhu, idzo dzandakatsaura sedzisina kuchena kwamuri. Munofanira kuva vatsvene kwandiri nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene. Ndakakutsaurai kubva kumarudzi kuti muve vangu ndoga. “ ‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaprista vanakomana vaAroni uti kwavari: ‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa, achiitira kunyange ani zvake pakati pavanhu vake vanofa. Kunze kwehama yepedyo yakaita samai kana baba vake, mwanakomana kana mwanasikana wake, mukoma kana munun'una wake, kana hanzvadzi yake isina kuroorwa yaanochengeta sezvo asina murume nokuda kwaiyeyu angagona kuzvisvibisa. Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavanhu vano ukama naye hwokuwanana, akadaro azvisvibisa. “ ‘Vaprista havafaniri kuveurwa misoro kana kudimburira ndebvu dzavo kana kutema miviri yavo nyora. Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo uye havafaniri kumhura zita raMwari wavo. Nokuti vanouyisa kuna Jehovha zvipiriso zvinoitwa nomoto, nezvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo vanofanira kuva vatsvene. “ ‘Havafaniri kuwana vakadzi vakasvibiswa noufeve kana kuti vakarambwa navarume vavo nokuti muprista mutsvene kuna Mwari wake. Mutsaurei somutsvene nokuti ndiye anouya nezvokudya zvaMwari wenyu. Mutsaurei somutsvene nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ini ndinokuitai vatsvene. “ ‘Kana mwanasikana womuprista akazvisvibiswa nokuva chifeve, anonyadzisa baba vake; anofanira kupiswa mumoto. “ ‘Muprista mukuru, uyo ari pakati pavakoma navanun'una vake, akadirwa mafuta okuzodzwa pamusoro pake uye akagadzwa kuti apfeke nguo dzouprista, haafaniri kurega bvudzi rake risina kukamiwa, kana kubvarura nguo dzake. Haafaniri kupinda munzvimbo ine chitunha. Haafaniri kuzvisvibisa kunyange nokuda kwababa vake kana mai vake, kana kubva munzvimbo tsvene yaMwari kana kuisvibisa, nokuti akakumikidzwa namafuta okuzodza aMwari wake. Ndini Jehovha. “ ‘Mukadzi waanowana anofanira kunge ari mhandara izere. Haafaniri kuwana chirikadzi, mukadzi akarambwa kana mukadzi akasvibiswa noufeve asi mhandara yakazara bedzi kubva kuvanhu vokwake, kuitira kuti arege kuzosvibisa zvizvarwa zvake pakati pavanhu vokwake. Ndini Jehovha ndinomuita mutsvene.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuna Aroni, ‘Kumarudzi achatevera hakuna mumwe wezvizvarwa zvako akaremara angaswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake. Hapana munhu ano urema hupi zvahwo angaswedera pedyo: hakuna bofu kana anokamhina kana akaremara; hakuna munhu ane gumbo rakaremara kana ruoko rwakaremara, kana ane musana wakakombama, munhu akapfupikisa kana ano urema hwamaziso kana ane mamota kana ane mhezi, kana akakuvara manhu ake. Hapana wechizvarwa chaAroni akaremara neipi nzira angaswedera pedyo kuzopa zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ano urema; haafaniri kuswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake. Angadya hake zvokudya zvitsvene-tsvene zvaMwari wake, pamwe chete nezvokudya zvitsvene; asi nokuda kwourema hwake, haafaniri kusvika pedyo nechidzitiro kana kusvika paaritari, agosvibisa nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.’ ” Saka Mozisi akataura izvi kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose. Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza Aroni navanakomana vake kuti varemekedze zvipiriso zvitsvene zvavaIsraeri zvavanditsaurira kuti varege kusvibisa zita rangu dzvene. Ndini Jehovha. “Uti kwavari, ‘Kumarudzi achatevera, kana mumwe wezvizvarwa zvenyu asina kuchena akaswedera pedyo nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu. Ndini Jehovha. “ ‘Kana chizvarwa chaAroni chikava nechirwere chamaperembudzi kana akava nezvinoyerera pamuviri wake, haangadyi zvipiriso zvitsvene kusvikira acheneswa. Achavawo asina kuchena kana akabata chimwe chinhu chakasvibiswa nechitunha kana nomumwe murume anobuda mbeu, kana kuti akabata chose chinokambaira chingamusvibisa kana munhu upi zvake angamusvibisa, kungava kusachena kupi zvako. Munhu uyo achabata kusachena uku achava asina kuchena kusvikira manheru. Haafaniri kudya zvipiriso zvipi zvazvo zvitsvene kusvikira ashamba nemvura. Kana zuva rovira, achava akachena, uye mushure maizvozvo angadya zvipiriso zvitsvene, nokuti ndizvo zvokudya zvake. Haafaniri kudya chimwe chinhu chinowanikwa chakafa kana kuti chabvamburwa nemhuka dzesango, akazosvibiswa nayo. Ndini Jehovha. “ ‘Vaprista vanofanira kuchengeta zvandakarayira kuitira kuti vasava nemhosva uye vakazofa nokuda kwokuti vashora zvandakarayira. Ndini Jehovha anovaita vatsvene. “ ‘Hakuna wokunze kwemhuri yomuprista angadya chipiriso chitsvene, kana mueni womuprista kana mushandi wake angachidya. Asi kana muprista akatenga nhapwa nemari, kana kuti nhapwa ikaberekerwa mumba make, nhapwa iyoyo inogona kudya chokudya chake. Kana mwanasikana womuprista akawanikwa nomumwe munhu asiri muprista haagoni kudya chipi zvacho chezvitsvene zvinouyiswa kumuprista. Asi kana mwanasikana womuprista akava chirikadzi kana kuti akarambwa, iye asina vana, akadzoka kuzogara mumba mababa vake sapaudiki hwake, anogona kudya chokudya chababa vake. Asi munhu asina kukodzera haangadyi kudya uku. “ ‘Kana munhu upi zvake akadya chipiriso chitsvene nokusaziva, anofanira kudzorera kumuprista chipiriso ichi agowedzera chikamu cheshanu pamusoro. Vaprista havafaniri kusvibisa zvipiriso zvitsvene zvinopiwa navaIsraeri kuna Jehovha, nokuvabvumira kudya zvipiriso zvitsvene nokudaro vakazviuyisira mhosva pamusoro pavo inoda muripo. Ndini Jehovha, anovaita vatsvene.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Kana mumwe wenyu, angava muIsraeri kana mutorwa, anogara muIsraeri, akapa chipo kuti chive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, kungava kuzadzisa mhiko kana kungopawo chipo, munofanira kupa mukono usina kuremara wemombe, kana gwai, kana mbudzi kuitira kuti zvigogamuchirwa panzvimbo yenyu. Musauya nechinhu chipi zvacho chakaremara nokuti hachizogamuchirwi panzvimbo yenyu. Kana munhu akauyisa kubva mudanga remombe kana ramakwai chipiriso chokuwadzana kuna Jehovha achizadzisa kupika kwake kana kuti sechipo chokungopawo, chinofanira kuva chisina kuremara kana chisina gwapa kuti chigamuchirwe. Musapa kuna Jehovha zvakapofumara, zvakakuvara kana zvakaremara, kana chinhu chine mhezi kana chine maronda anopararira. Musaisa chipi zvacho chezvinhu izvi paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Munogona kupa zvakadaro sechipo chokungopawo, nzombe kana gwai rakaremera kana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupikisa, asi hazvigamuchirwi pakuzadzisa mhiko. Hamufaniri kupa kuna Jehovha chipiriso chemhuka ina manhu akakuvara, akatswanywa, akabvamburwa kana akachekwa. Hamufaniri kuita izvi munyika menyu. Uye hamufaniri kugamuchira mhuka dzakadai kubva mumaoko omutorwa muchizodzipa sechokudya chaMwari wenyu. Hadzizogamuchirwi panzvimbo yenyu nokuti dzakaremara uye hadzina kukwana.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Mhuru, kana gwai, kana mbudzi ikaberekwa, inofanira kugara namai vayo kwamazuva manomwe. Kubva pazuva rorusere zvichienda mberi, ichagamuchirwa sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Musauraya mombe nomwana wayo kana gwai nomwana waro musi mumwe chete. “Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, chibayirei nenzira inoita kuti chigogamuchirwa panzvimbo yenyu. Chinofanira kudyiwa musi iwoyo, musasiya zvimwe zvacho kusvikira mangwana. Ndini Jehovha. “Chengetai mirayiro yangu mugoitevera. Ndini Jehovha. Musamhura zita rangu dzvene. Ndinofanira kuzivikanwa somutsvene navaIsraeri. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene uye akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Iyi ndiyo mitambo yangu yandakatara, mitambo yakatarwa yaJehovha yamunofanira kudaidzira seungano tsvene. “ ‘Pane mazuva matanhatu amunoshanda asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, zuva reungano tsvene. Hamufaniri kuita basa ripi zvaro kwose kwamunogara, iSabata kuna Jehovha. “ ‘Iyi ndiyo mitambo yakatarwa yaJehovha, ungano tsvene dzamunodaidzira panguva dzakatarwa. Pasika yaJehovha inotanga madekwana pazuva regumi namana romwedzi wokutanga. Pazuva regumi namashanu romwedzi iwoyo Mutambo waJehovha weChingwa Chisina Mbiriso unotanga; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chinobikwa chisina mbiriso. Pazuva rokutanga itai ungano tsvene uye musaita mabasa amazuva ose. Kwamazuva manomwe mupe chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, mukakohwa gohwo rayo, uyai kumuprista nechisote chezviyo zvamunotanga kukohwa. Anofanira kuninira chisote pamberi paJehovha kuti chigamuchirwe panzvimbo penyu. Muprista anofanira kuchininira pazuva rinotevera Sabata. Pazuva ramunoninira chisote, munofanira kubayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha, gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo chinokwana zvikamu zviviri kubva mugumi zveefaa, zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, chinonhuwira zvinofadza, nechipiriso chacho chokunwa chikamu chimwe chete kubva muzvina zvehinib rewaini. Hamufaniri kudya chingwa chipi zvacho, kana zviyo zvakakangwa, kana zviyo zvitsva, kusvikira zuva chairo ramunouya nechipiriso ichi kuna Mwari wenyu. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achatevera, kwose kwamuchagara. “ ‘Kubva pazuva rinotevera Sabata, zuva ramakauya nechisote chechipiriso chokuninira, verengai mavhiki manomwe azere. Verengai mazuva makumi mashanu kusvika pazuva rinotevera Sabata rechinomwe, ipapo mugopa chipiriso chezviyo zvitsva kuna Jehovha. Kubva kupi kwose kwamunogara, uyai nezvingwa zviviri zvakaitwa nezvikamu zviviri kubva mugumi zveefa zvoupfu hwakatsetseka zvakabikwa nembiriso sechipiriso chokuninira chezvibereko zvokutanga kuna Jehovha. Pamwe chete nechingwa ichi mupe makwayana manomwe asina kuremara egore rimwe nehando imwe chete diki namakondohwe maviri. Zvichava zvipiriso zvinopisirwa Jehovha, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, chive chipiriso chinoitwa nomoto chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Ipapo bayirai nhongo imwe chete sechipiriso chechivi namakwayana maviri, ose egore rimwe chete, sechipiriso chokuwadzana. Muprista anofanira kuninira makwayana maviri pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira pamwe chete nechingwa chegohwo rokutanga. Izvi zvipiriso zvitsvene kuna Jehovha zvomuprista. Pazuva rimwe chetero munofanira kudaidzira ungano tsvene murege basa ramazuva ose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achauya, kwose kwamuchagara. “ ‘Kana muchikohwa gohwo renyika yenyu musakohwa kusvikira kumucheto kwomunda wenyu, kana kunhongera zvinosara pakukohwa kwenyu. Zvisiyirei varanda navatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe munofanira kuva nezuva rokuzorora, ungano tsvene inocherechedzwa nokuridza hwamanda. Musaita basa ramazuva ose, asi mupe chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Zuva regumi romwedzi iwoyo wechinomwe iZuva Rokuyananisa. Muite ungano tsvene uye muzvinyime zvokudya, mugopa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Musashanda pazuva iroro, nokuti iZuva Rokuyananisira, pamunoyananisirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu. Munhu wose asingazvinyimi musi iwoyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. Munhu upi noupi achaita basa ripi zvaro, nomusi iwoyo, ndichamuparadza pakati pavanhu vokwake. Hamufaniri kutomboita basa. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi ose achauya, kwose kwamuchagara. Iri iSabata renyu rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima. Kubva manheru ezuva repfumbamwe romwedzi kusvikira manheru anotevera munofanira kucherechedza Sabata.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Pazuva regumi neshanu romwedzi wechinomwe Mutambo waJehovha waMatumba unotanga, uye uchapedza mazuva manomwe. Zuva rokutanga iungano tsvene; musaita basa ramazuva ose. Kwamazuva manomwe mupe kuna Jehovha zvipiriso zvinoitwa nomoto uye pazuva iroro muite ungano tsvene mugopa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Iyi ndiyo ungano yokupedzisira; musaita basa ramazuva ose. “ ‘Iyi ndiyo mitambo yaJehovha yakatarwa yamunofanira kuparidzira ungano tsvene kuti dziuye nezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, nezvipiriso zvinopiswa uye nezvinopiswa zvezviyo, zvibayiro nezvipiriso zvokunwa zvinodiwa mazuva ose. Zvipiriso izvi zvinowedzerwa pamusoro pezviya zvamaSabata aJehovha uye pamusoro pezvipo zvenyu nezvose zvamakapikira nezvipiriso zvose zvokungopa zvamunopa kuna Jehovha. “ ‘Zvino kutanga pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, mushure mokunge mapedza kukohwa zvirimwa zvenyika, muite mutambo wokupemberera kuna Jehovha kwamazuva manomwe; zuva rokutanga izuva rokuzorora, uye zuva rorusere izuva rokuzororawo. Pazuva rokutanga munofanira kutsara michero yakanakisisa yemiti, nemichero yemichindwe, namatavi ana mashizha akawanda, nemikonachando, uye mugofara pamberi paJehovha Mwari wenyu kwamazuva manomwe. Munofanira kuitira Jehovha mutambo uyu kwamazuva manomwe gore negore. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achauya; muupemberere mumwedzi wechinomwe. Garai mumatumba kwamazuva manomwe: Zvizvarwa zvose zvavaIsraeri zvinofanira kugara mumatumba kuitira kuti zvizvarwa zvenyu zvigoziva kuti ndakaita kuti vaIsraeri vagare mumatumba pandakavabudisa kubva muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ” Saka Mozisi akazivisa kuvaIsraeri mitambo yakatarwa yaJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Rayira vaIsraeri kuti vauye kwauri namafuta akaisvonaka amaorivhi akasvinwa, omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichibvira nguva dzose. Kunze kwechidzitiro cheChipupuriro muTende Rokusangana, Aroni anofanira kuchengetedza mwenje iyi pamberi paJehovha kubva manheru kusvikira kwaedza, nguva dzose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achauya. Mwenje iri pachigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka chiri pamberi paJehovha inofanira kuchengetedzwa nguva dzose. “Torai upfu hwakatsetseka mugobika zvingwa gumi nezviviri muchishandisa zvikamu zviviri kubva mugumi zveefaa pachingwa chimwe nechimwe. Zviisei mumitsara miviri, zvitanhatu mumutsara mumwe nomumwe, patafura yegoridhe rakaisvonaka pamberi paJehovha. Pamutsetse mumwe nomumwe isai zvinonhuwira zvive chirangaridzo chinomirira chingwa uye zvive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Chingwa ichi chinofanira kuiswa pamberi paJehovha nguva dzose, Sabata neSabata zvakamirira vaIsraeri sesungano inogara nokusingaperi. NdechaAroni navanakomana vake, vanofanira kuchidyira munzvimbo tsvene, nokuti ichi chikamu chitsvenetsvene chezvipiriso zvavo zvenguva dzose zvinoitirwa Jehovha nomoto.” Zvino mwanakomana wavamwe mai vechiIsraeri uye baba vake vari vechiIjipita, akafamba pakati pavana vaIsraeri, uye mwanakomana womukadzi muIsraeri akarwa nomurume muIsraeri mumusasa. Mwanakomana womukadzi muIsraeri akatuka Zita raJehovha nechituko; naizvozvo vakauya naye kuna Mozisi. (Zita ramai vake rainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri worudzi rwaDhani.) Vakamuisa mutorongo kusvikira kuda kwaJehovha kwaiswa pachena kwavari. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora mutuki uende naye kunze kwomusasa. Vose vakamunzwa vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake uye ungano yose inofanira kumutaka namabwe. Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu upi zvake akatuka Mwari wake achava nemhosva; ani naani anotuka zita raJehovha anofanira kuurayiwa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe. Kunyange ari mutorwa kana chizvarwa chenyu, akatuka Zita raJehovha anofanira kuurayiwa. “ ‘Ani naani anouraya munhu, anofanira kuurayiwa. Munhu wose anouraya chipfuwo chomumwe munhu anofanira kuchidzoredzera, upenyu hunotsiviwa noupenyu. Kana munhu akakuvadza muvakidzani wake, zvose zvaaita zvinofanira kuitwa kwaari. Kutyora kunotsiviwa nokutyora, ziso rinotsiviwa neziso, zino rinotsiviwa nezino. Sezvaakuvadza mumwe saka naiye anofanira kukuvadzwa. Ani naani anouraya mhuka anofanira kudzoredzera asi ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete pamutorwa napachizvarwa chemo. Ndini Jehovha Mwari wako.’ ” Ipapo Mozisi akataura navaIsraeri, vakatora mutuki vakaenda naye kunze kwomusasa, vakamutaka namabwe akafa. VaIsraeri vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi pagomo reSinai, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, nyika pachayo inofanira kucherechedza sabata kuna Jehovha. Kwamakore matanhatu dyarai minda yenyu, uye kwamakore matanhatu, dimurirai mizambiringa yenyu mugounganidza michero yayo. Asi mugore rechinomwe, nyika inofanira kuva nesabata rokuzorora, sabata rokuitira Jehovha. Musadyara minda yenyu kana kudimurira mizambiringa yenyu. “ ‘Musakohwa zvinomera zvoga kana kukohwa mazambiringa amagoko. Nyika inofanira kuva negore rokuzorora. Gohwo ripi neripi renyika resabata richava zvokudya zvenyu, zvako iwe, murandarume wako nomurandakadzi wako, uye mushandi nomueni agere pakati penyu, pamwe chete nezvipfuwo zvenyu nemhuka dzesango dziri munyika yenyu. Zvibereko zvose zvomunyika zvingadyiwa. “ ‘Verengai maSabata manomwe amakore, makore manomwe akapetwa kanomwe, kuitira kuti maSabata manomwe amakore akwane nguva inoita makore makumi mana namapfumbamwe. Ipapo urayire kuti hwamanda iridzwe kwose pazuva regumi romwedzi wechinomwe; paZuva Rokuyananisira ridzai hwamanda munyika yenyu yose. Tsaurai gore ramakumi mashanu mugoparidza rusununguko munyika yose kuvagari vayo vose. Richava Jubhiri kwamuri; mumwe nomumwe wenyu anofanira kudzokera kune zvake, uye mumwe nomumwe kumhuri yake. Gore ramakumi mashanu richava gore reJubhiri kwamuri. Musadyara uye musakohwa mazambiringa amagoho. Nokuti iJubhiri uye rinofanira kuva dzvene kwamuri. Idyai chete zvinotorwa kubva muminda. “ ‘Mugore iri reJubhiri munhu wose anofanira kudzokera kune zvake. “ ‘Kana mukatengesa munda kuno mumwe womunyika menyu kana kutenga kwaari, musabiridzirana. Munofanira kutenga kubva kuvagari venyika yenyu zvichienderana nouwandu hwamakore kubva pagore reJubhiri. Uye iye anofanira kutengesa zvichienderana nouwandu hwamakore asara okukohwa zvirimwa. Kana makore awanda, munofanira kuwedzera mutengo, uye kana makore ari mashoma, munofanira kudzikisa mutengo, nokuti zvaari kukutengeserai ndizvo chaizvoizvo uwandu hwezvirimwa. Musabiridzirana, asi ityai Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Tevererai mitemo yangu mugochenjerera kuti muteerere mirayiro yangu, ipapo muchagara makachengetedzeka munyika. Ipapo nyika ichabereka zvibereko zvayo uye imi muchadya kusvikira maguta, mugogara makachengetedzeka. Mungabvunza muchiti, “Ko, tichadyei mugore rechinomwe kana tisingadyari kana kukohwa zvirimwa zvedu?” Ndichakutumirai ropafadzo mugore rechitanhatu zvokuti nyika ichabereka zvinokwana makore matatu. Pamunodyara mugore rorusere muchadya kubva kuzvirimwa zvakare, uye mucharamba muchidya kubva kwazviri kusvika gohwo regore rechipfumbamwe rasvika. “ ‘Munda haufaniri kutengeswa nokusingaperi, nokuti nyika ndeyangu uye imi muri vatorwa navaeni kwandiri. Munyika yose yamuchatora, munofanira kutendera kudzikinurwa kwenyika. “ ‘Kana mumwe wavagari venyika yenyu akava murombo akatengesa zvimwe zvezvinhu zvake, hama yake yepedyo inofanira kuuya kuzodzikinura zvakatengeswa nehama yake. Zvisinei, kana munhu ashaya angamudzikinurira zvinhu izvi, asi iye akazobudirira akawana nzira dzakakwana dzokuzvidzikinura, anofanira kupima kukosha kwomutengo wazvo kubva pagore raakazvitengesa, agodzosera zvasara pamuripo wazvo, kumurume waakazvitengesera; ipapo angadzokera kune zvake. Asi kana akashaya nzira dzokumudzorera, nadzo, zvaakatengesa zvicharamba zviri mumaoko omutengi kusvikira gore reJubhiri. Zvichadzoserwa mugore reJubhiri uye iye achagona kudzokera kune zvake. “ ‘Kana munhu akatengesa imba muguta rino rusvingo, anoramba aine mvumo yokuidzikinura kwegore rose shure kwokutengeswa kwayo. Munguva iyoyo anogona kuidzikinura. Kana isina kudzikinurwa gore risati rapfuura, imba iri muguta rino rusvingo ichava yowakatenga nezvizvarwa zvake nokusingaperi. Haifaniri kudzorerwa paJubhiri. Asi dzimba dziri mumisha isina kukomberedzwa namasvingo dzinofanira kuonekwa sesango. Dzinogona kudzikinurwa uye dzinofanira kudzoserwa muJubhiri. “ ‘VaRevhi vane mvumo nguva dzose yokudzikinura dzimba dzavo mumaguta avaRevhi, anova avo. Naizvozvo zvinhu zvavaRevhi zvinogona kudzikinurwa, zvichireva kuti imba inotengeswa muguta ravo ripi neripi inofanira kudzoserwa muJubhiri, nokuti dzimba dziri mumaguta avaRevhi zvinhu zvazvo pakati pavaIsraeri. Asi mafuro amaguta avo haafaniri kutengeswa; inhaka yavo inogara nokusingaperi. “ ‘Kana mumwe wehama dzenyu akava murombo uye asisagoni kuzviriritira pakati penyu, mubatsirei sezvamunoita mutorwa kana mueni kuti arambe achigara pakati penyu. Musatora mhindu yemhando ipi zvayo kubva kwaari, asi ityai Mwari wenyu kuitira kuti hama yenyu irambe ichigara pakati penyu. Hamufaniri kumukweretesa mari muchiti ichazobereka mhindu kana kumutengesera zvokudya zvino mubereko. Ndini Jehovha Mwari wenyu akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndikupei nyika yeKenani uye kuti ndive Mwari wenyu. “ ‘Kana mumwe wehama dzenyu akava murombo pakati penyu akazvitengesa kwamuri, musamuita kuti ashande somuranda. Anofanira kubatwa somushandi wamaricho kana kuti mushanyi ari pakati penyu; anofanira kukushandirai kusvikira Gore reJubhiri. Ipapo iye navana vake vanofanira kusunungurwa, uye achadzokera kurudzi rwake nokuzvinhu zvamadzitateguru ake. Nokuti vaIsraeri varanda vangu vandakabudisa kubva muIjipiti, havafaniri kutengeswa senhapwa. Musavatonga neutsinye, asi ityai Mwari wenyu. “ ‘Nhapwa dzenyu dzechirume nedzechikadzi dzinofanira kubva mundudzi dzakakukomberedzai; munogona kutenga nhapwa kubva kwavari. Munogona kutengawo vatorwa vashanyi vagere pakati penyu nemhuri dzavo dzakaberekerwa munyika yenyu, uye vachava pfuma yenyu. Munogona kuvaita nhaka yavana venyu uye kuvaita nhapwa kweupenyu hwavo hwose, asi hamufaniri kutonga vamwe vaIsraeri zvakaomarara. “ ‘Mutorwa kana mushanyi pakati penyu akava mupfumi, uye mumwe wavanhu venyika yenyu akava murombo akazvitengesa kumutorwa agere pakati penyu, kana kumhuri yomutorwa, anoramba ane mvumo yokudzikinurwa mushure mokunge azvitengesa. Mumwe wehama dzake anogona kumudzikinura: Babamunini vake kana mwanakomana wababamunini vake, kana hama yake yapedyo worudzi rwake angamudzikinura. Iye neanomutenga vanofanira kuverenga nguva kubva pagore raakazvitengesa kusvikira paGore reJubhiri. Mutengo wokusunungurwa kwake unofanira kuenzaniswa nemari inoripwa mushandi wemaricho kwamakore iwayo. Kana kuchine makore akawanda asara, anofanira kuripira rudzikinuro rwake, chikamu chikuru chemari yaakaripirwa. Kana kwasara makore mashoma shoma Gore reJubhiri risati rasvika, anofanira kurangana naye agodzosera mari yorudzikinuro rwake zvichienzaniswa namakore ake. Anofanira kubatwa somushandi wemaricho gore rimwe nerimwe; munofanira kuona kuti tenzi wake haamutongi zvakaomarara. “ ‘Kunyange zvake asina kudzikinurwa neimwe yenzira idzi, iye navana vake vanofanira kusunungurwa mugore reJubhiri, nokuti vaIsraeri ndevangu savaranda vangu. Varanda vangu, vandakabudisa kubva muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Musaita zvifananidzo kana kumisa chifananidzo kana ibwe rinoyera kwamuri, uye musaisa dombo rakavezwa munyika yenyu kuti mukotamire pamberi paro. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Chengetai maSabata angu uye muremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha. “ ‘Kana mukatevera mitemo yangu uye mukachenjerera kuti muteerere mirayiro yangu, ndichakutumirai mvura nenguva yayo, uye ivhu richabereka zvirimwa zvaro uye miti yesango ichabereka michero yayo. Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa uye kukohwa mazambiringa kuchasvika pakudyara, uye muchadya zvose zvamunoda uye mugogara makachengetedzeka munyika menyu. “ ‘Ndichapa rugare panyika, uye muchavata pasi pasina achakuvhundutsai. Ndichabvisa zvikara zvesango panyika, uye munondo haungazopfuuri nomunyika yenyu. Muchadzinganisa vavengi venyu, uye vachawa nomunondo pamberi penyu. Vashanu venyu vachadzinganisa zana, uye zana renyu richadzinganisa zviuru gumi uye vavengi venyu vachawa nomunondo pamberi penyu. “ ‘Ndichakutarisai nenyasha uye ndichaita kuti muve nezvibereko uye muwande, uye ndichachengeta sungano yangu nemi. Muchange muchiri kudya gohwo regore rakapera pamuchazobvisa kuti muise zvitsva. Ndichadzika tabhenakeri yangu pakati penyu uye handizokusemei. Ndichafamba pakati penyu ndigova Mwari wenyu, uye muchava vanhu vangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu, ndakakubudisai kubva munyika yeIjipiti kuti musazova varanda kuvaIjipiti zvakare, ndakatyora matanda ejoko renyu ndikakufambisai makati twi. “ ‘Asi kana mukasanditeerera uye mukasaita zvose izvi zvandinorayira, uye mukaramba mitemo yangu, mukasema mirayiro yangu, mukatadza kuzadzisa zvose zvandakarayira, saizvozvo mukaputsa sungano yangu, ipapo ndichaita izvi kwamuri: Ndichauyisa pamusoro penyu zvinotyisa, zvirwere zvinoparadza nedenda richaparadza meso enyu, uye rigokusvetai upenyu hwenyu. Muchadyarira zviyo zvenyu pasina nokuti vavengi venyu vachazvidya. Chiso changu chichanangana nemi zvokuti muchakundwa navavengi venyu. Avo vanokuvengai vachakutongai, uye muchatiza kunyange pasina anokudzinganisai. “ ‘Kana mukasanditeerera mushure maizvozvi zvose, ndichakurangai kakapetwa kanomwe nokuda kwezvivi zvenyu. Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu ndigoita kuti denga renyu rive sesimbi, uye ivhu riri pasi penyu sendarira. Simba renyu richaperera pasina nokuti ivhu renyu harizobereki zvibereko, kana miti yenyika yenyu, michero yayo. “ ‘Kana mukaramba muchirwisana neni uye mukaramba kunditeerera, ndichawedzera matambudziko enyu zvakapetwa kanomwe, sezvakafanira zvivi zvenyu. Ndichatuma zvikara zvesango kuti zvizokurwisai, uye zvichakutorerai vana venyu, zvigoparadza mombe dzenyu zvigokuitai vashoma zvokuti nzira dzenyu dzichasara dzisina vanhu. “ ‘Ipapo kana musingadi kudzorwa neni pazvinhu izvi, asi mukaramba muchirwisana neni, ini pachangu ndicharwisana nemi, uye ndichakurangai kakapetwa kanomwe nokuda kwezvivi zvenyu. Uye ndichauyisa munondo wehondo pamusoro penyu kuti unditsivire kuputswa kwesungano. Kana mukatizira mumaguta enyu ndichatumira denda pakati penyu, uye muchaiswa mumaoko avavengi. Kana ndikamisa mugove wenyu wechingwa, vakadzi gumi vachagona kubika chingwa chenyu pachoto chimwe chete, uye vachakanya chingwa chenyu zviri pamwero. Muchadya, asi hamungaguti. “ ‘Mushure maizvozvi, mukaramba musinganditeereri asi mukaramba muchienderera mberi nokundirwisa, ipapo mukutsamwa kwangu ndicharwisana nemi, uye ini pachangu ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu kakapetwa kanomwe. Muchadya nyama yavanakomana venyu nenyama yavanasikana venyu. Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, ndigotemera pasi aritari dzenyu dzezvinonhuwira uye ndigounganidza zvitunha zvenyu pamusoro pavamwari venyu vasina upenyu, uye ndichakusemai. Ndichaita kuti maguta enyu ave matongo uye ndigoparadza nzvimbo dzenyu tsvene, uye handizofariri munhuwi unonhuwira zvinofadza wezvipiriso zvenyu. Ndichaparadza nyika yenyu, zvokuti vavengi venyu vanogaramo vachashamiswa. Ndichakuparadzirai mukati mamarudzi uye ndichabudisa munondo wangu ndigokudzingirirai. Nyika yenyu ichaparara, uye maguta enyu achava matongo. Ipapo nyika ichafarira makore ayo esabata panguva yose yokuparadzwa kwayo pamunenge muri munyika yavavengi venyu; ipapo nyika ichazorora igofadzwa namasabata ayo. Panguva yose yokuparadzwa kwayo nyika ichava nezororo rayakashayiwa pamasabata panguva yamakararama mairi. “ ‘Kana vari vamwe venyu vanosara, ndichaita kuti hana dzavo dzizare nokutya munyika dzavavengi vavo zvokuti kurira kweshizha rinopeperetswa nemhepo kuchaita kuti vatize. Vachamhanya vachiwirana sokunge vari kutiza munondo, vachawa kunyange pasina ari kuvadzinganisa. Vachabonderana sokunge vanotiza munondo, kunyange pasina anovadzinganisa. Saka hamuzogoni kumira pamberi pavavengi venyu. Muchaparara pakati pendudzi; nyika yavavengi venyu ichakuparadzai. Avo pakati penyu vachasara, vachaonda munyika dzavavengi vavo nokuda kwezvivi zvavo; uye vachaonda nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo. “ ‘Asi kana vakareurura zvivi zvavo nezvivi zvamadzibaba avo, kundimukira kwavo noruvengo rwavo kwandiri, zvakaita kuti ndivarwise kusvikira ndavaendesa kunyika yavavengi vavo, ipapo kana mwoyo yavo isina kudzingiswa yaninipiswa, varipira zvivi zvavo, ndicharangarira sungano yangu naJakobho nesungano yangu naIsaka uye nesungano yangu naAbhurahama; uye ndicharangarira nyika iyi. Nokuti nyika yavachasiya icharamba ichifarira masabata ayo kunyange yaparadzwa saizvozvo vasimo. Vacharipira zvivi zvavo nokuti vakaramba mirayiro yangu vakasema mitemo yangu. Asi kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handizovarambi kana kuvasema kuti ndivaparadze zvachose, ndichiputsa sungano yangu navo. Ndini Jehovha Mwari wavo. Asi nokuda kwavo ndicharangarira sungano yandakaita namadzitateguru avo vandakabudisa kubva muIjipiti pamberi pendudzi dzose kuti ndive Mwari wavo. Ndini Jehovha.’ ” Iyi ndiyo mitemo, mirayiro nezvakatemwa zvakamiswa naJehovha pagomo reSinai pakati pake navaIsraeri kubudikidza naMozisi. Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura navaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu akaita mhiko yakasarudzika yokuti akumikidze vanhu kuna Jehovha nokupa mutengo wakaenzanirana, utare mutengo womunhurume ane makore ari pakati pamakumi maviri namakumi matanhatu pamashekeri makumi mashanua esirivha, zvichienzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsveneb; uye kana ari munhukadzi, utare mutengo wake pamashekeri makumi matatuc. Kana ari munhu ana makore ari pakati pamashanu namakore makumi maviri, utare mutengo womunhurume pamashekeri makumi mavirid, uye munhukadzi pamashekeri gumie. Kana ari munhu ari pakati pomwedzi mumwe namakore mashanu, utare mutengo womunhurume pamashekeri mashanuf esirivha uye utare pamunhukadzi mashekeri matatug esirivha. Kana munhu ane makore makumi matanhatu kana anopfuura, utare mutengo womunhurume pamashekeri gumi namashanuh, uye pamunhukadzi mashekeri gumi. Kana munhu wose anenge achiita mhiko ari murombo zvikuru zvokutotadza kuripa muripo wakatarwa, anofanira kuuya nomunhu uyu kumuprista, achatara mutengo wake zvichienderana nezvinokwaniswa nomunhu ari kuita mhiko. “ ‘Kana chaakapika chiri mhuka inogamuchirika sechipiriso kuna Jehovha, mhuka yakadai inopiwa kuna Jehovha ichava tsvene. Haafaniri kuchitsinhanisa kana kuisa chakanaka panzvimbo yechakaipa, kana chakaipa panzvimbo yechakanaka; kana akaisa mhuka pachinzvimbo cheimwe, dzose dziri mbiri neyatsinhanisa dzichava tsvene. Kana chaakapika chiri mhuka isina kuchena, iyo isingagamuchiriki sechipiriso kuna Jehovha, mhuka iyi inofanira kupiwa kumuprista, uyo achatara kukosha kwayo, kuti yakanaka kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo uchave mutengo wayo. Kana muridzi achida kudzikinura mhuka iyi, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo. “ ‘Kana munhu akakumikidza imba yake sechinhu chitsvene kuna Jehovha, muprista achatara kukosha kwayo kuti yakanaka here kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo ucharamba uripo. Kana murume anokumikidza imba yake akaidzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu zvomutengo wayo. Uye imba ichava yake zvakare. “ ‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha chikamu chomunda wemhuri yake, mutengo wawo unofanira kutarwa zvichienderana nouwandu hwezviyo zvinodiwa ipapo, mashekeri makumi mashanu esirivha pahomerii yezviyo yebhari. Kana akakumikidza munda wake mugore reJubhiri, mutengo wakatarwa unoramba uripo. Asi kana akakumikidza munda wake mushure meJubhiri, muprista achatara mutengo zvichienderana namakore asara Jubhiri rinotevera risati rasvika, uye mutengo wawo wakatarwa uchaderedzwa. Kana murume anokumikidza munda achida kuudzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho, uye munda uchava wake zvakare. Kunyange zvakadaro, kana asingadzikinuri munda wake, kana akautengesera mumwe munhu, hauzogoni kudzikinurwa. Kana munda ukasunungurwa muJubhiri, uchava mutsvene, somunda wakapiwa kuna Jehovha; uchava munda wavaprista. “ ‘Kana munhu akakumikidza munda waakatenga kuna Jehovha, usiri chikamu chomunda wemhuri yake, muprista achatara mutengo wawo kusvikira mugore reJubhiri, uye munhu uyu anofanira kuripa mutengo wawo musi iwoyo sechinhu chitsvene kuna Jehovha. Mugore reJubhiri munda uchadzokera kumunhu waakatengserana naye uyo aiva muridzi womunda. Mutengo wose unofanira kutarwa zvichienderana neshekeri repanzvimbo tsvene, makumi maviri amagera pashekeri rimwe. “ ‘Zvisinei hazvo, hapana munhu angakumikidza dangwe remhuka, sezvo dangwe ragara riri raJehovha kare; ingava mombe kana gwai; ndezvaJehovha. Kana iri imwe yemhuka dzisina kuchena, anogona kuidzikinura nomutengo wayo wakatarwa, achipamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo. Kana isina kudzikinurwa, inofanira kutengeswa nomutengo wayo wakatarwa. “ ‘Asi hakuna chinhu chomunhu chinopiwa kuna Jehovha, angava munhu kana mhuka kana munda wemhuri, chinogona kutengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chose chinopiwa saizvozvo chinova chitsvene kwazvo kuna Jehovha. “ ‘Hakuna munhu anopiwa kuti aparadzwe angadzikinurwa; anofanira kuurayiwa. Chegumi chezvinhu zvose zvinobva mumunda, zvingava zviyo zvinobva muvhu kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha. Kana munhu akadzikinura chimwe chinhu pazvegumi zvake, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho. Chegumi chose chemombe namakwai, mhuka yose yegumi inopfuura napasi petsvimbo yomufudzi, ichava tsvene kuna Jehovha. Haafaniri kusarudza zvakanaka kubva mune zvakaipa kana kuzvitsinhanisa. Kana akazvitsinhanisa, mhuka dzose dziri mbiri, yatsiviwa neyatsiva, dzichava tsvene uye hadzigoni kudzikinurwa.’ ” Iyi ndiyo mirayiro yavaIsraeri yakapiwa Mozisi naJehovha paGomo reSinai. Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti, “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe. Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo. Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake. Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira: kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri; kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai; kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi; kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari; kubva kwaZebhuruni, Eriabhu mwanakomana waHeroni; kubva kuvanakomana vaJosefa: kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi; kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri; kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni; kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai; kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani; kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri; kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.” Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, ivo vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri. Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa, vakaunganidza ungano yose pamwe chete nezuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai: Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitatu, namazana mashanu. Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu. Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu. Kubva kuzvizvarwa zvaJudha: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaJudha vaisvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu. Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye zvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaIsakari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana. Kubva kuzvizvarwa zvaZebhuruni: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaZebhuruni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana. Kubva kuvanakomana vaJosefa: Kubva kuzvizvarwa zvaEfuremu: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaEfuremu vaisvika zviuru makumi mana, namazana mashanu. Kubva kuzvizvarwa zvaManase: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaManase vaisvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri. Kubva kuzvizvarwa zvaBhenjamini: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba uye zvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaBhenjamini vaisvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana. Kubva kuzvizvarwa zvaDhani: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye zvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaDhani vaisvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe. Kubva kuzvizvarwa zvaAsheri: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaAsheri vaisvika zviuru makumi mana nechimwe chete, namazana mashanu. Kubva kuzvizvarwa zvaNafutari: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. Vakaverengwa kubva kurudzi rwaNafutari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana. Ava ndivo varume vakaverengwa naMozisi naAroni navatungamiri veIsraeri gumi nevaviri, mumwe nomumwe achimiririra mhuri yake. VaIsraeri vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo yeIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo. Vose vakaverengwa vakasvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu anamakumi mashanu. Kunyange zvakadaro, mhuri dzavaRevhi hadzina kuverengwa pamwe chete navamwe. Jehovha akanga ati kuna Mozisi: “Haufaniri kuverenga rudzi rwaRevhi kana kuvabatanidzira pakuverengwa kwavamwe vaIsraeri. Asi ugadze vaRevhi kuti vave vatariri vetabhenakeri yeChipupuriro, napamusoro pemidziyo yayo yose; vanofanira kutakura tabhenakeri nemidziyo yayo yose; vanofanira kuichengeta nokuikomberedza nemisasa yavo. Panguva yose inobviswa tabhenakeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuidzikisa pasi, uye panguva yose yainomiswa, vaRevhi ndivo vanofanira kuita izvozvo. Ani zvake mumwewo anoswedera kwairi achaurayiwa. VaIsraeri vanofanira kudzika matende avo namapoka avo, murume mumwe nomumwe mumusasa wake pasi pomureza wokwake. Zvakadaro hazvo, vaRevhi, vanofanira kudzika matende avo vakapoteredza tabhenakeri yeChipupuriro kuitira kuti hasha dzirege kuwira pamusoro peungano yavaIsraeri. VaRevhi ndivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yeChipupuriro.” VaIsraeri vakaita izvi zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni: “VaIsraeri vanofanira kuvaka musasa vakapoteredza Tende Rokusangana nechokure, mumwe nomumwe pasi pomureza wokwake nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba ake.” Kumabvazuva, kwakanangana nokunobuda nezuva, mapoka okwaJudha anofanira kuvaka misasa yawo pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vaJudha ndiNashani mwanakomana waAminadhabhi. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu. Rudzi rwaIsakari ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vaIsakari ndiNetaneri mwanakomana waZuari. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana. Rudzi rwaZebhuruni ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vaZebhuruni ndiEriabhu mwanakomana waHeroni. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana. Varume vose vanodiwa kumusasa waJudha maererano namapoka avo, vanokwana zviuru zana namakumi masere nezvitanhatu, namazana mana. Ava ndivo vachatanga kusimuka. Kurutivi rwezasi kuchava namapoka emisasa yaRubheni ichange iri pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaRubheni ndiErizuri mwanakomana waShedheuri. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu. Rudzi rwaSimeoni ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni ndiSharumiri mwanakomana waZurishadhai. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu. Rudzi rwaGadhi ndirwo ruchatevera. Eriasafi mwanakomana waDheueri ndiye mutungamiri wavanhu vokwaGadhi. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu. Varume vose vakadanwa kumusasa waRubheni maererano namapoka avo, vaisvika zviuru zana namakumi mashanu nerimwe chete, namazana mana namakumi mashanu. Ndivo vachava vechipiri pakusimuka. Ipapo Tende Rokusangana nomusasa wavaRevhi zvichasimuka pakati pemisasa. Vachasimuka zvimwe chetezvo zvavanoita pakumisa misasa, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pasi pomureza wake. Nechokumavirira kuchava namapoka emisasa yaEfuremu ari pasi pemireza yawo. Mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu ndiErishama mwanakomana waAmihudhi. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana, namazana mashanu. Rudzi rwaManase ndirwo ruchavatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaManase ndiGamarieri mwanakomana waPedhazuri. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri. Rudzi rwaBhenjamini ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini ndiAbhidhani mwanakomana waGidheoni. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana. Varume vose vakadanwa kumusasa waEfuremu, maererano namapoka avo, vanosvika zviuru zana nezvisere, nezana rimwe chete. Vachava vechitatu pakusimuka. Nechokumusoro kuchava namapoka emisasa yaDhani, pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaDhani ndiAbhiezeri mwanakomana waAmishadhai. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe. Rudzi rwaAsheri ruchadzika misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaAsheri ndiPagieri mwanakomana waOkerani. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nechimwe chete namazana mashanu. Rudzi rwaNafutari ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaNefutari ndiAhira mwanakomana waEnoni. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana. Varume vose vakadanwa kumusasa waDhani vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvinomwe, namazana matanhatu. Ndivo vachava vokupedzisira pakusimuka, vari pasi pemireza yavo. Ava ndivo vaIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo. Vose vakanga vari mumisasa, namapoka avo vanosvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu. Kunyange zvakadaro, vaRevhi havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naJehovha. Saizvozvo vaIsraeri vakaita zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha; ndiyo nzira yavakamisa nayo misasa yavo pasi pemireza yavo, uye ndiyo nzira yavakasimuka nayo, mumwe nomumwe neimba yake nemhuri yake. Iyi ndiyo nhoroondo yemhuri yaAroni naMozisi panguva iyo Jehovha akataura naMozisi paGomo reSinai. Mazita avanakomana vaAroni aiva Nadhabhi dangwe rake, naAbhihu, naEreazari naItamari. Ndiwo akanga ari mazita avanakomana vaAroni, ivo vaprista vakazodzwa, vakanga vagadzwa kuti vashumire savaprista. Kunyange zvakadaro, Nadhabhi naAbhihu, vakafa pamberi paJehovha panguva yavakaita chipiriso nomoto wakanga usingabvumirwi pamberi pake muRenje reSinai. Vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari chete ndivo vakashumira sevaprista, Aroni baba vavo vachiri vapenyu. Jehovha akati kuna Mozisi, “Uyisa rudzi rwaRevhi ugovaisa pamberi paAroni muprista kuti vagomubatsira. Vanofanira kuita mabasa ake uye vagoshandira ungano yose paTende Rokusangana nokubata basa retabhenakeri. Vanofanira kuchengeta midziyo yose yeTende roKusangana, vazadzise mabasa avaIsraeri pakuita kwavo basa retabhenakeri. VaRevhi uvape kuna Aroni navanakomana vake; ndivo vaIsraeri vanofanira kupiwa kwaari zvachose. Ugadze Aroni navanakomana vake kuti vagoshumira savaprista; ani zvake mumwewo anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.” Jehovha akatizve kuna Mozisi, “Ndakatora vaRevhi kubva pakati pavaIsraeri pachinzvimbo chedangwe romukomana rinoberekwa nomukadzi wose weIsraeri. VaRevhi ndevangu, nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.” Jehovha akati kuna Mozisi ari murenje reSinai, “Verenga vaRevhi nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo. Uverenge vanhurume vose vane mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa.” Saka Mozisi akavaverenga. Sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha. Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati naMerari. Aya ndiwo aiva mazita edzimba dzavaGerishoni: Ribhini naShimei. Dzimba dzavaKohati: Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri. Dzimba dzavaMerari: Mari naMushi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaRevhi maererano nemhuri dzavo. Kuna Gerishoni ndiko kwaiva nedzimba dzavaRibhini navaShimei; ndivo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni. Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvinomwe, namazana mashanu. Vedzimba dzavaGerishoni vaifanira kuvaka misasa nechokumavirira, shure kwetabhenakeri. Mutungamiri wemhuri yavaGerishoni akanga ari Erisafi mwanakomana waRaeri. VaGerishoni ndivo vaifanira kuchengeta tabhenekari netende, zvifukidzo zvaro, chidzitiro chapamukova wokuTende Rokusangana, zvidzitiro zvaparuvazhe, chidzitiro chapamukova wokupinda paruvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, uye netambo, nezvinhu zvose zvaishandiswapo. Kuna Kohati ndiko kwaiva nedzimba dzavaAmirami, vaIsraeri, vaHebhuroni navaUzieri; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaKohati. Kuwanda kwavanhu vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvisere namazana matanhatu. VaKohati ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene. VaKohati vaifanira kudzika matende avo nechezasi kwetabhenakeri. Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaKohati aka nga ari Erizafani mwanakomana waUzieri. Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta areka, tafura, chigadziko chomwenje, aritari, midziyo yomunzvimbo tsvene yaishandiswa pakushumira, chidzitiro, uye zvose zvaidiwa pakushandisa. Mutungamiri mukuru wavaRevhi akanga ari Ereazari mwanakomana waAroni, muprista. Ndiye akagadzwa kuti ave pamusoro paavo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene. Kuna Merari ndiko kwaiva nedzimba dzavaMari navaMushi; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaMerari. Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete, kana kupfuura, pakuberekwa avo vakaverengwa, vakanga vachisvika zviuru zvitanhatu, namazana maviri. Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaMerari akanga ari Zurieri mwanakomana waAbhihairi; uye ndivo vaifanira kuvaka misasa yavo nechokumusoro kwetabhenakeri. VaMerari vakanga vagadzwa kuti vave vachengeti vamatende etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru, hwaro, nhumbi dzayo dzose, nezvinhu zvose zvaishandiswa pamwe chete nazvo, pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende netambo dzadzo. Mozisi naAroni navanakomana vake vaifanira kudzika misasa yavo nechokumabvazuva kwetabhenakeri, kwakatarisana nokumabudazuva, mberi kweTende Rokusangana. Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene vakamirira vaIsraeri. Ani zvake mumwewo aiswedera panzvimbo tsvene aifanira kuurayiwa. Kuwanda kwavaRevhi vakaverengwa pakurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi naAroni maererano nedzimba dzavo, zvichisanganisira vanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri. Jehovha akati kuna Mozisi, “Verenga matangwe ose avanhurume avaIsraeri ano mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa ugonyora mazita avo. Unditorere vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose avaIsraeri, uye nezvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvibereko zvokutanga zvose zvezvipfuwo zvavana vavaIsraeri. Ndini Jehovha.” Saka Mozisi akaverenga matangwe ose avaIsraeri, sezvaakarayirwa naJehovha. Kuwanda kwamatangwe avanhurume vaiva nomwedzi mumwe kana kupfuura pakuberekwa vakanyorwa mazita avo, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri, namazana maviri namakumi manomwe navatatu. Jehovha akatizve kuna Mozisi, “Tora vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose eIsraeri, uye zvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvipfuwo zvavo. VaRevhi vanofanira kuva vangu. Ndini Jehovha. Kuti udzikinure mazana maviri namakumi manomwe navatatu vamatangwe avaIsraeri, unofanira kutora mashekeri mashanua kubva kuno mumwe nomumwe wavo maererano namashekeri enzvimbo tsvene, anorema magera makumi maviri. Upe mari yokudzikinurwa kwavaIsraeri vakapfuura uwandu kuna Aroni navanakomana vake.” Saka Mozisi akatora mari yedzikinuro kubva kuna vakanga vapfuurira uwandu hwavaya vakanga vadzikinurwa navaRevhi. Kubva kumatangwe eIsraeri akatora sirivha yairema chiuru chimwe, namazana matatu namakumi matanhatu namashanu amashekerib, maererano neshekeri renzvimbo tsvene. Mozisi akapa mari yedzikinuro kuna Aroni navanakomana vake, sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni: “Verenga vaKohati ivo bazi ravaRevhi nedzimba dzavo nemhuri dzavo. Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana. “Iri ndiro basa ravaKohati muTende Rokusangana: kuchengetedza zvinhu zvitsvenetsvene. Kana ungano yosimuka Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda vagobvisa chidzitiro vagofukidza areka yeChipupuriro nacho. Ipapo vanofanira kuchifukidza namatehwe emhou dzomugungwa, vagowarira mucheka webhuruu pamusoro pacho uye vagoisa matanda panzvimbo yawo. “Pamusoro petafura yoKuvapo, vanofanira kuwarira mucheka webhuruu vagoisa pamusoro pawo ndiro, madhishi uye mbiya, nemikombe yezvipiriso zvinonwiwa; chingwa chamazuva ose chinofanira kuramba chiri pamusoro payo. Pamusoro pezvinhu izvi, vanofanira kuwarira mucheka mutsvuku, vagoifukidza namatehwe emhou dzomugungwa, vagoisa matanda acho panzvimbo yawo. “Vanofanira kutora mucheka webhuruu vagofukidza chigadziko chomwenje wokuvhenekesa, pamwe chete nemwenje yacho netambo netireya dzacho nemidziyo yacho yose yamafuta anoshandiswa pakuvhenekesa. Ipapo vanofanira kuchiputira pamwe chete nezvimwe zvacho muchifukidzo chamatehwe emhou dzomugungwa vagochiisa pamatanda okutakurisa nawo. “Pamusoro pearitari yegoridhe, vanofanira kuwarira mucheka webhuruu vagoufukidza namatehwe emhou dzomugungwa vagopinza matanda panzvimbo yawo. “Vanofanira kutora midziyo yose inoshandiswa pakushumira munzvimbo tsvene, vagoiputira mumucheka webhuruu, vagofukidza izvozvo namatehwe emhou dzegungwa uye vagozviisa pamatanda okutakurisa nawo. “Vanofanira kubvisa madota paaritari yendarira vagowarira mucheka wepepuru pamusoro payo. Ipapo vanofanira kuisa pamusoro payo midziyo yose inoshandiswa pakushumira paaritari kusanganisira namakango, forogo dzenyama, foshoro nembiya dzokusasa. Vanofanira kuwarira chifukidzo chamatehwe emhou dzegungwa pamusoro payo, vagopinza matanda ayo panzvimbo yawo. “Mushure mokunge Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza midziyo yose mitsvene, uye kana vava kusimuka, vaKohati ndivo vanofanira kuuya kuzotakura. Asi havafaniri kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. VaKohati ndivo vanofanira kutakura zvinhu zviri muTende Rokusangana. “Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, anofanira kuva mutariri wamafuta emwenje, zvinonhuwira, chipiriso chezviyo chamazuva ose uye namafuta okuzodza. Anofanira kuva mutariri wetabhenakeri yose nezvinhu zvose zviri mairi, kusanganisira nemidziyo yayo mitsvene.” Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Uone kuti rudzi rwavaKohati haruna kuparadzwa kubva pakati pavaRevhi. Kuti vararame uye varege kufa pavanoswedera pedyo nezvinhu zvitsvene, uvaitire izvi: Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda munzvimbo tsvene vagorayira murume mumwe nomumwe basa rake nezvaanofanira kuita. Asi vaKohati havafaniri kupinda kundotarisa zvinhu zvitsvene, kana kwechinguva, kuti varege kufa.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Verengawo vaGerishoni nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo. Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana. “Ndiro basa redzimba dzavaGerishoni pavanoshanda vachitakura mitoro. Vanofanira kutakura zvidzitiro zvetabhenakeri, Tende Rokusangana zvifukidzo zvaro uye zvifukidzo zvokunze zvamatehwe emhou dzegungwa, chidzitiro chapamukova wokupinda kuTende Rokusangana, zvidzitiro zvaparuvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, chidzitiro chapamukova, tambo nemidziyo yose inoshandiswa pakushumira. VaGerishoni vanofanira kuita zvose zvinofanira kuitwa pakushandisa zvinhu izvi. Mabasa avo ose kungava kutakura kana kuita rimwe basa, zvinofanira kuitwa nokurayira kwaAroni navanakomana vake. Muchavatuma sebasa ravo zvose zvavanofanira kutakura. Ndiro basa redzimba dzavaGerishoni paTende Rokusangana. Vanofanira kurayirwa pamabasa avo naItamari mwanakomana waAroni muprista. “Verenga vaMerari nedzimba dzavo nemhuri dzavo. Verenga varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa muTende Rokusangana. Iri ndiro basa ravo pavanoshanda paTende Rokusangana: kutakura matanda etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru nehwaro, pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende, tambo, midziyo yavo yose uye nezvose zvinoshandiswa pamwe chete nazvo. Govera murume mumwe nomumwe zvinhu zvaanofanira kutakura. Uhu ndihwo ushumiri hwedzimba dzavaMerari pakushanda kwavo paTende Rokusangana vachitungamirirwa naItamari mwanakomana waAroni, muprista.” Mozisi, Aroni navatungamiri veungano vakaverenga vaKohati nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo. Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana, vachiverengwa nedzimba dzavo, vaisvika zviuru zviviri, namazana manomwe namakumi mashanu. Uku ndiko kwaiva kuwanda kwavose vedzimba dzavaKohati vaishanda muTende Rokusangana. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi. VaGerishoni vakaverengwa nedzimba dzavo nemhuri dzavo. Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu, vakauya kuzoshanda pabasa romuTende Rokusangana, vachiverengwa nedzimba dzavo nemhuri dzavo, vaisvika zviuru zviviri, namazana matanhatu namakumi matatu. Ndiko kwakanga kuri kuwanda kwaavo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni vaishanda muTende Rokusangana. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha. VaMerari vakaverengwa nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo. Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa muTende Rokusangana, vachiverengwa nedzimba dzavo, vaisvika zviuru zvitatu, namazana maviri. Uku ndiko kwakanga kuri kuwanda kwaavo vaiva mudzimba dzavaMerari. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi. Saka Mozisi, Aroni navatungamiri veIsraeri vakaverenga vaRevhi vose nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo. Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa uye vachitakura Tende Rokusangana, vakasvika zviuru zvisere, mazana mashanu namakumi masere. Mumwe nomumwe akagoverwa basa rake akaudzwa zvokuita sokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi. Saizvozvo vakaverengwa, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Rayira vaIsraeri kuti vabudise mumusasa ani zvake ane chirwere cheganda romuviri kana kuerera kupi zvako, kana akasvibiswa nokuda kwechitunha. Uvabudise vose varume navakadzi zvimwe chetezvo; uvabudise kunze kwomusasa kuitira kuti varege kusvibisa musasa wavo, wandigere pakati pavo.” VaIsraeri vakaita saizvozvo, vakavabudisa kunze kwomusasa. Vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri: ‘Kana murume kana mukadzi akakanganisira mumwe nenzira ipi zvayo uye saizvozvo akasava akatendeka kuna Jehovha munhu uyo ane mhosva, uye anofanira kureurura chivi chaakaita. Anofanira kuripira zvizere mhosva yake, achiwedzera cheshanu chayo agozvipa zvose kumunhu waakatadzira. Asi kana munhu uyo asina hama yepedyo uyo angapiwa zviri kuripirwa mhosva, muripo uyu ndowaJehovha uye unofanira kupiwa kumuprista, pamwe chete negondohwe rokumuyananisira. Zvinotsaurwa zvose zvinopiwa navaIsraeri kumuprista zvichava zvake. Zvipo zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe ndezvake iye pachake, asi zvaanopa kumuprista zvichava zvomuprista.’ ” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mukadzi womunhu akatsauka uye akasava akatendeka kwaari, akavata nomumwe murume, uye izvi zvikavanzwa kumurume wake uye kusvibiswa kwake kusati kwabatwa (sezvo pasina chapupu pamusoro pake uye asati abatwa achiita izvozvo), uye murume wake akava neshanje mukati make uye akafungira mukadzi wake, uye iye mukadzi achinge akasvibiswa, kana dai akava neshanje uye achimufungira kunyange zvake iye asina kusvibiswa, ipapo anofanira kutora mukadzi wake agoenda naye kumuprista. Anofanira kuendawo nechipiriso chechegumi cheefaa youpfu hwebhari pachinzvimbo chake. Haafaniri kudira mafuta pamusoro pacho kana zvinonhuwira pachiri, nokuti chipiriso chezviyo cheshanje, chipiriso chechiyeuchidzo chokurangaridza mhosva. “ ‘Muprista achamuuyisa agoita kuti amire pamberi paJehovha. Ipapo anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu agoisa guruva rinobva pauriri hwetabhenakeri mumvura. Shure kwokunge muprista amisa mukadzi uyu pamberi paJehovha, achasunungura vudzi rake agoisa mumaoko ake chipiriso chokuyeuchidza, chipiriso chezviyo cheshanje, muprista pachake akabata mvura inovava inouyisa chituko. Ipapo muprista anofanira kuita kuti mukadzi uyu apike uye agoti kwaari, “Kana kusina mumwe murume akavata newe uye usina kumbotsauka ukava wakasvibiswa panguva yokuwanikwa kwako nomurume wako, mvura inovava iyi, iyo inouyisa kutukwa, ngairege kukukuvadza. Asi kana wakatsauka iwe wakawanikwa nomurume wako uye ukazvisvibisa nokuvata nomumwe murume pachinzvimbo chomurume wako,” ipapo muprista anofanira kuisa mukadzi uyu pachituko ichi chemhiko achiti, “Jehovha ngaaite kuti vanhu vako vakutuke uye vakurambe paanoita kuti chidya chako chionde uye kuti dumbu rako rizvimbe. Mvura iyi inouyisa kutuka ngaipinde mumuviri wako kuitira kuti dumbu rako rizvimbe uye chidya chako chionde.” “ ‘Ipapo mukadzi anofanira kuti, “Ameni. Ngazviite saizvozvo.” “ ‘Muprista anofanira kunyora zvituko izvi papepa ipapo agozvisuka mumvura inovava. Anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura inovava iyo inouyisa kutukwa, uye mvura iyi ichapinda maari igouyisa kutambudzika nokuvaviwa. Muprista anofanira kutora kubva mumaoko omukadzi chipiriso chezviyo cheshanje, agochininira pamberi paJehovha nokuchiuyisa kuaritari. Ipapo muprista anofanira kutora tsama yechipiriso chezviyo sechipiriso chokurangaridza agochipisa paaritari; shure kwaizvozvo, anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura. Kana akazvisvibisa uye anga asina kutendeka kumurume wake, ipapo kana zvaitwa kuti anwe mvura inouyisa kutukwa, ichapinda maari igoita kuti arwadziwe zvikuru; dumbu rake richazvimba uye chidya chake chichaonda, uye iye achava akatukwa pakati pavanhu. Kunyange zvakadaro hazvo, kana mukadzi uyo asina kuzvisvibisa uye akachena achasunungurwa pamhosva iyo uye achagona kubereka vana. “ ‘Uyu, zvino ndiwo murayiro weshanje kana mukadzi atsauka uye akazvisvibisa iye ari mukadzi womunhu, uye kana murume akava neshanje nokuda kwokufungira mukadzi wake. Muprista anofanira kumumisa pamberi paJehovha agotevedza murayiro uyu wose kwaari. Murume achange asina mhosva pakukanganisa kupi zvako, asi mukadzi achava nemhosva yechivi chake.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana murume kana mukadzi akada kuita mhiko yakasarudzika, iyo mhiko yokuzvitsaurira kuna Jehovha somuNaziri, anofanira kusanwa waini nezvimwe zvinodhaka uye haafaniri kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nezvimwe zvinonwiwa zvinodhaka. Haafaniri kunwa muto wamazambiringa, kana kudya mazambiringa, kana akaomeswa. Panguva yose youNaziri hwake, haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuti womuzambiringa, dzingava mhodzi kana mateko zvawo. “ ‘Mazuva ose okupika kwake kwokuzvitsaura hapana chisvo chichashandiswa kuveura musoro wake. Anofanira kuva mutsvene kusvikira nguva yokutsaurirwa kwake kuna Jehovha yapera; anofanira kurega bvudzi romusoro wake rirebe. Haafaniri kuswedera pachitunha mazuva ose aakazvitsaurira kuna Jehovha. Kunyange kana baba vake chaivo, kana mai vake, kana munun'una kana hanzvadzi vafa, haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavo, nokuti chiratidzo chokuzvitsaurira kuna Mwari chiri pamusoro wake. Mutsvene kuna Jehovha pamazuva ake ose aakazvitsaura. “ ‘Kana mumwe munhu akafa pakarepo iye ari ipapo, nokudaro akasvibisa bvudzi raakakumikidza, anofanira kuveura musoro wake nezuva rokunatswa kwake, iro zuva rechinomwe. Ipapo nezuva rorusere anofanira kuuya nenjiva mbiri kana twana tuviri twenjiva kumuprista ari pamusuo weTende Rokusangana. Muprista anofanira kupa imwe yacho sechipiriso chechivi uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa kuti amuyananisire nokuti iye akatadza paakava pedyo nechitunha. Anofanira kunatsa musoro wake nezuva iroro. Anofanira kuzvikumikidza kuna Jehovha panguva yokuzvitsaura kwake uye anofanira kuuya nomukono wegwayana regore rimwe chete sechipiriso chemhosva. “ ‘Zvino uyu ndiwo murayiro womuNaziri panopera nguva yokuzvitsaura kwake. Anofanira kuuyiswa kumusuo weTende Rokusangana. Anofanira kupa kuna Jehovha chipiriso chake ipapo: mukono wegore rimwe chete wegwayana risina charingapomerwa kuti rive chipiriso chinopiswa, sheshe yegwayana regore rimwe chete isina kuremara kuti chive chipiriso chokuwadzana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chokunwa, uye dengu rechingwa chisina mbiriso, keke rakaitwa noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, uye zvingwa zvitete zvakazorwa namafuta. “ ‘Muprista anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha agoita chipiriso chechivi nechipiriso chinopiswa. Anofanira kuuyisa dengu rechingwa chisina mbiriso uye agobayira gondohwe sechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa. “ ‘Zvino pamusuo weTende Rokusangana, muNaziri anofanira kuveura bvudzi riya raakakumikidza. Anofanira kutora bvudzi iro agoriisa mumoto uri pasi pechibayiro chokuwadzana. “ ‘Shure kwokunge muNaziri aveura bvudzi rokuzvikumikidza kwake, muprista anofanira kuisa mumaoko ake bandauko rakabikwa regondohwe, uye keke nechingwa chitete kubva mudengu, zvose zvakabikwa zvisina mbiriso. Ipapo muprista achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira; izvi zvitsvene uye ndezvomuprista, pamwe chete nechipfuva chakaninirwa uye chidya chakakumikidzwa. Shure kwaizvozvo, muNaziri anganwa hake waini. “ ‘Uyu ndiwo murayiro womuNaziri anenge apikira chipiriso kuna Jehovha maererano nokuzvitsaura kwake pamusoro pezvimwe zvose zvaanenge achigona kupa. Anofanira kuzadzisa mhiko yaakaita, zviri maererano nomurayiro womuNaziri.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutowo uyu. Muti kwavari: “ ‘Jehovha akuropafadzei uye akuchengetei; Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu uye akunzwirei tsitsi; Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri uye akupei rugare.’ “Saka vachaisa zita rangu pamusoro pavaIsraeri, uye ndichavaropafadza.” Mozisi akati apedza kumisa tabhenakeri, akaizodza akaitsaura pamwe chete nemidziyo yayo yose. Akazodzawo nokutsaura aritari nemidziyo yayo yose. Ipapo vatungamiri veIsraeri, vakuru vedzimba avo vakanga vari vatungamiri vamarudzi vari vatariri vavaya vakanga vaverengwa, vakapa zvipiriso. Vakauyisa sezvipiriso zvavo pamberi paJehovha, ngoro nhanhatu dzakafukidzirwa nenzombe gumi nembiri, nzombe kubva kumutungamiriri mumwe nomumwe uye ngoro kubva kuvaviri vaviri. Izvi zvakaiswa pamberi petabhenakeri. Jehovha akati kuna Mozisi, “Gamuchira izvi kubva kwavari kuti zvigoshandiswa mubasa paTende Rokusangana. Uzvipe kuvaRevhi maererano nebasa romunhu mumwe nomumwe.” Saka Mozisi akatora ngoro nenzombe akazvipa kuvaRevhi. Akapa kuvaGerishoni ngoro mbiri nenzombe ina, maererano nezvaidiwa pabasa ravo, uye akapa ngoro ina nenzombe tsere kuvaMerari, maererano nezvaidiwa pabasa ravo. Vose vakanga vachirayirwa naItamari mwanakomana waAroni, muprista. Asi Mozisi haana kupa chinhu kuvanakomana vaKohati, nokuti vaifanira kutakura zvinhu zvitsvene pamapfudzi avo, iri ndiro raiva basa ravo. Aritari yakati yazodzwa, vatungamiri vakauya nezvipiriso zvavo zvokukumikidzwa kwayo vakazviisa pamberi pearitari. Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Zuva rimwe nerimwe, mutungamiri mumwe chete anofanira kuuya nechipiriso chake chokukumikidza aritari.” Nashoni mwanakomana waAminadhabhi worudzi rwaJudha, ndiye akauya nechipiriso chake pazuva rokutanga. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatua, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomweb, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rimwe nerimwe rizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumic, rizere nezvinonhuwira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete negwayana rimwe chete romukono wegore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa; nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNashoni mwanakomana waAminadhabhi. Pazuva rechipiri, Netaneri mwanakomana waZuari, mutungamiri waIsakari, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chaakauya nacho chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema makumi manomwe amashekeri, zvose zviri zviviri zvaiva zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo, maererano neshekeri renzvimbo tsvene; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa; nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNetaneri mwanakomana waZuari. Pazuva rechitatu, Eriabhu mwanakomana waHeroni, mutungamiri wavanhu vokwaZebhuruni, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chechivi; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa; nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaEriabhu mwanakomana waHeroni. Pazuva rechina, Erizuri mwanakomana waShedheuri, mutungamiri wavanhu vokwaRubheni, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaErizuri mwanakomana waShedheuri. Pazuva rechishanu, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai, mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yakanga ichirema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira, hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono wegwayana mumwe chete wegore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa; nhongo imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaSherumieri mwanakomana waZurishadhai. Pazuva rechitanhatu, Eriasafi mwanakomana waDheueri, mutungamiri wavanhu vokwaGadhi, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri ndiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe, rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa; nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi; nenzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaEriasafi mwanakomana waDheueri. Pazuva rechinomwe, Erishama mwanakomana waAmihudhi, mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo, dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaErishama mwanakomana waAmihudhi. Pazuva rorusere Gamarieri mwanakomana waPedhazuri, mutungamiri wavanhu vokwaManase akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira; Hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaGamarieri mwanakomana waPedhazuri. Pazuva repfumbamwe, Abhidhani mwanakomana waGidheoni mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo. Ndiro yegoridhe imwe chete yairema mashekeri gumi, izere nezvinonhuwira; hando yegoridhe imwe chete yairema mashekeri gumi, izere nezvinonhuwira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi uye nzombe mbiri makondohwe mashanu, nhongo dzembudzi shanu namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAbhidhani mwanakomana waGidheoni. Pazuva regumi, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai, mutungamiriri wavanhu vokwaDhani, akauya nechipiriso. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi rizere nezvinonhuwirira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana wegore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhiezeri mwanakomana waAmishadhai. Pazuva regumi nerimwe, Pagieri mwanakomana waOkirani, mutungamiri wavanhu vokwaAsheri, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwirira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaPagieri mwanakomana waOkirani. Pazuva regumi namaviri, Ahira mwanakomana waEnani, mutungamiri wavanhu vokwaNafutari, akauya nechipiriso chake. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo; dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa; nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi; uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhira mwanakomana waEnani. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvavatungamiri veIsraeri pakukumikidzwa kwearitari payakazodzwa; ndiro dzesirivha gumi nembiri, mbiya dzesirivha dzokusasa gumi nembiri namadhishi egoridhe gumi namaviri. Ndiro imwe neimwe yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu uye mbiya imwe neimwe yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe. Pamwe chete madhishi esirivha airema zviuru zviviri namazana mana amashekerid, maererano neshekeri renzvimbo tsvene. Madhishi egoridhe gumi namaviri akanga azere nezvinonhuwirira airema mashekeri zana namakumi mavirie. Uwandu hwezvipfuwo zvechipiriso chinopiswa pamwe chete hwaiti hando duku gumi nembiri, makondohwe gumi namaviri namakondohwe maduku egore rimwe chete gumi namaviri, pamwe chete nechipiriso chavo chezviyo. Nhongo dzembudzi gumi nembiri dzakashandiswa pachipiriso chechivi. Uwandu hwezvipfuwo zvechibayiro chokuwadzana pamwe chete hwaiti nzombe makumi maviri neina, makondohwe makumi matanhatu, nhongo dzembudzi makumi matanhatu namakondohwe maduku egore rimwe chete makumi matanhatu. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvokukumikidzwa kwearitari shure kwokuzodzwa kwayo. Mozisi akati apinda muTende Rokusangana kundotaura naJehovha, akanzwa inzwi richitaura naye richibva napakati pamakerubhi pamusoro pechifukidzo cheareka yeChipupuriro. Uye akataura naye. Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura naAroni uti kwaari, ‘Kana uchimisa mwenje minonwe, inofanira kuvhenekera nzvimbo iri mberi kwechigadziko chomwenje.’ ” Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje kuti atarisane nechigadziko chomwenje, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chomwenje: Chakanga chakaitwa negoridhe rakapambadzirwa kubva pahwaro hwacho kusvikira pamaruva acho. Chigadziko chomwenje chakanga chakagadzirwa zvakanyatsofanana nomufananidzo wakanga waratidzwa Mozisi naJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi: “Bvisa vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri ugovanatsa. Pakuvanatsa, unofanira kuita izvi: Sasa pamusoro pavo mvura yokuvachenesa; ipapo ugoita kuti vaveure miviri yavo yose vagosuka nguo dzavo, kuitira kuti vazvinatse. Uite kuti vatore hando duku nechipiriso chayo chezviyo choupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, ipapo munofanira kutorazve imwe hando duku yechipiriso chechivi. Uuye navaRevhi mberi kweTende Rokusangana ugounganidza ungano yose yavaIsraeri. Unofanira kuuya navaRevhi pamberi paJehovha, uye vaIsraeri vanofanira kuisa maoko avo pamusoro pavo. Aroni anofanira kuisa vaRevhi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira chinobva kuvaIsraeri, kuitira kuti vagadzirire kuita basa raJehovha. “Mushure mokunge vaRevhi vaisa maoko avo pamisoro yehando, ushandise imwe yacho sechipiriso chechivi kuna Jehovha uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi. Uite kuti vaRevhi vamire pamberi paAroni navanakomana vake ipapo ugovakumikidza sechipiriso chokuninira kuna Jehovha. Nenzira iyi unofanira kutsaura vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri, uye vaRevhi vachava vangu. “Mushure mokunge wanatsa vaRevhi nokuvakumikidza sechipiriso chokuninira, vanofanira kuuya kuzoita basa ravo paTende Rokusangana. Ivo ndivo vaIsraeri vachapiwa zvachose kwandiri. Ndakavatora kuti vave vangu pachinzvimbo chamatangwe, vanakomana vokutanga vomukadzi mumwe nomumwe womuIsraeri. Chibereko chose chokutanga chechikono muIsraeri, angava munhu kana chipfuwo, ndechangu. Pandakauraya matangwe ose muIjipiti, ndakazvitsaurira ivo kwandiri. Uye ndakatora vaRevhi panzvimbo yavanakomana veIsraeri vamatangwe. PavaIsraeri vose, ndakapa vaRevhi sezvipo kuna Aroni navanakomana vake kuti vaite basa paTende Rokusangana vakamirira vaIsraeri uye kuti vayananisire vaIsraeri kuti varege kuurayiwa nedenda pavanenge vaswedera kunzvimbo tsvene.” Mozisi, Aroni neungano yose yeIsraeri vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. VaRevhi vakazvinatsa vakasuka nguo dzavo. Ipapo Aroni akavaisa pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira akavayananisa kuti vanatswe. Shure kwaizvozvo, vaRevhi vakauya kuzoshanda basa ravo paTende Rokusangana vachitungamirirwa naAroni navanakomana vake. Vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Izvi ndizvo zvichaitwa navaRevhi: Vamwe vana makore makumi maviri namashanu kana anopfuura vachauya kuzoshanda basa paTende Rokusangana, asi kana vasvika makore makumi mashanu, vanofanira kuregedza basa ravo uye varege kuzoshandazve. Vangabatsira havo hama dzavo kuita mabasa apaTende Rokusangana, asi ivo pachavo havafaniri kushanda basa. Zvino, izvi ndizvo zvaunofanira kurayira vaRevhi kuti vaite.” Jehovha akataura kuna Mozisi murenje reSinai mumwedzi wokutanga wegore rechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Akati kwaari, “Ita kuti vaIsraeri vapemberere Pasika panguva yakatarwa. Muipemberere panguva yakatarwa, panguva yorubvunzavaeni pazuva regumi namana romwedzi, maererano nemitemo yayo nemirayiro yayo yose.” Saka Mozisi akataurira vaIsraeri kuti vapemberere Pasika, ivo vakaita saizvozvo murenje reSinai panguva yorubvunzavaeni nezuva regumi namana romwedzi wokutanga. VaIsraeri vakaita zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Asi vamwe vavo havana kupemberera Pasika nomusi iwoyo nokuti vakanga vasina kuchena nokuda kwechitunha. Saka vakauya kuna Mozisi naAroni musi iwoyo uye, vakati kuna Mozisi, “Isu tava vasina kuchena nokuda kwechitunha, asi tinodzivisirweiko kuvigira Jehovha chipiriso pamwe chete navamwe vaIsraeri panguva yakatarwa?” Mozisi akavapindura akati, “Mirai kusvikira ndanzwa zvinorayirwa naJehovha pamusoro penyu.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri kuti: ‘Mumwe wenyu kana zvizvarwa zvenyu kana vasvibiswa nokuda kwechitunha uye kana kuti vari parwendo, naivowo vangapemberera Pasika yaJehovha. Vanofanira kuipemberera nezuva regumi namana romwedzi wechipiri panguva dzorubvunzavaeni. Vanofanira kudya gwayana, pamwe chete nechingwa chisina mbiriso nomuriwo unovava. Havafaniri kusiya chinhu kusvikira mangwanani kana kuvhuna mapfupa aro. Pavanopemberera Pasika, vanofanira kutevedza mitemo yose. Asi kana munhu akachena uye asiri parwendo akakundikana kupemberera Pasika, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake nokuti haana kuvigira Jehovha chipiriso panguva yakatarwa. Munhu uyo achatakura zvivi zvake. “ ‘Mutorwa agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kuita izvozvo maererano nemitemo nemirayiro yayo. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa nokuna akaberekerwa munyika.’ ” Pazuva rakamiswa tabhenakeri, iyo Tende yeChipupuriro, gore rakaifukidza. Kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, gore rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakanga rakaita somoto. Ndizvo zvarakaramba rakaita; gore rakaifukidza, uye usiku raitaridzika somoto. Gore raiti kana rasimudzwa kubva pamusoro peTende, vaIsraeri vaifamba; pose paimira gore, vaIsraeri vaidzika musasa ipapo. Pakurayira kwaJehovha, vaIsraeri vaifamba, uye pakurayirwa kwake, vaibva vadzika musasa. Gore paraimira pamusoro petabhenakeri, ivo vairamba vakadzika musasa. Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri kwamazuva mashomanana chete; vaidzika musasa wavo sokurayira kwaJehovha uye pakurayira kwake, vaibva vafamba. Dzimwe nguva gore raingogara kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, uye paraingosimuka mangwanani ivo vaibva vafamba. Paingosimuka gore, angava masikati kana usiku, vaibva vafamba. Kana gore rikagara pamusoro petabhenakeri kwamazuva maviri kana mwedzi, kana gore rimwe chete, vaIsraeri vairamba vari mumusasa uye vasingafambi; asi kana rikasimuka ivo vaibva vafamba. Sokurayira kwaJehovha, vaidzika musasa, uye sokurayira kwaJehovha, vaifamba. Vakateerera kurayira kwaJehovha, maererano nokurayira kwake kubudikidza naMozisi. Jehovha akati kuna Mozisi, “Ita hwamanda mbiri dzesirivha yakapambadzirwa, ugodzishandisa kudana ungano pamwe chete uye kuti mapoka afambe. Dzikaridzwa dzose dziri mbiri, ungano yose inofanira kuungana pamberi pako pamukova weTende Rokusangana. Kana imwe chete ikaridzwa, vatungamiri, vakuru vedzimba dzaIsraeri, vanofanira kuungana pamberi pako. Hwamanda yeyambiro painoridzwa marudzi akavaka kumabvazuva anofanira kutanga kufamba. Paunoridza hwamanda yechipiri, misasa yezasi inofanira kufamba. Kurira kwehwamanda kuchava chiratidzo chokuti mufambe. Kuti ungano iungane, muridze hwamanda, asi kwete namaridziro mamwe chetewo. “Vanakomana vaAroni, vaprista ndivo vanofanira kuridza hwamanda. Uyu unofanira kuva mitemo usingaperi kwamuri nokuzvizvarwa zvinotevera. Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, muridze hwamanda. Ipapo mucharangarirwa naJehovha Mwari wenyu achakununurai kubva kuvavengi venyu. Uyezve, panguva dzenyu dzokufara, pamitambo yenyu yakatarwa uye nemitambo yoKugara kwoMwedzi, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, uye zvichava chirangaridzo kwamuri pamberi paMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.” Pazuva ramakumi maviri romwedzi wechipiri, wegore rechipiri, gore rakasimuka kubva pamusoro petabhenakeri yeChipupuriro. Ipapo vaIsraeri vakasimuka kubva murenje reSinai, vakafamba vachienda kunzvimbo nenzvimbo kusvikira gore randomira murenje reParani. Nguva ino, kwokutanga, vakafamba sezvavakanga varayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Mapoka omusasa waJudha ndiwo akatanga kuenda, pasi pomureza wavo. Nashoni mwanakomana waAminadhabhi akanga achivatungamirira. Netaneri mwanakomana waZua akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni. Uye Eriabhu mwanakomana waHeroni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni. Ipapo tabhenakeri yakabviswa, uye vaGerishoni navaMerari, vakanga vachiitakura, vakafamba. Mapoka omusasa waRubheni akatevera, vari pasi pomureza wavo. Erizuri mwanakomana waShedheuri ndiye akanga achivatungamirira. Sherumieri mwanakomana waZurishadhai akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaSimeoni, uye Eriasafi mwanakomana waDheueri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaGadhi. Ipapo vaKohati vakasimuka, vakatakura zvinhu zvitsvene. Tabhenakeri yaifanira kumiswa vasati vasvika. Mapoka omusasa waEfuremu akatevera; vari pasi pomureza wavo. Erishama mwanakomana waAmihudhi akanga achivatungamirira. Gamarieri mwanakomana waPedhazuri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaManase. Uye Abhidhani mwanakomana waGidheoni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaBhenjamini. Pakupedzisira, samapoka aichengetedza kumashure kwamapoka ose, mapoka omusasa waDhani akasimuka, ari pasi pomureza wavo. Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai ndiye akanga achivatungamirira. Pagieri mwanakomana waOkirani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaAsheri; uye Ahira mwanakomana waEnani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaNafutari. Aya ndiwo akanga ari mafambiro amapoka avaIsraeri pakusimuka kwavo. Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhi mwanakomana waReueri muMidhiani, tezvara waMozisi, “Tava kuenda kunzvimbo yatakanzi naJehovha, ‘Ndichakupai imi.’ Handei tose tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha avimbisa zvinhu zvakanaka kuna Israeri.” Iye akapindura akati, “Kwete, handingaendi; ndiri kudzokera kunyika yangu nokuvanhu vokwangu.” Asi Mozisi akati kwaari, “Ndapota hangu regai kutisiya. Munoziva patinofanira kuvaka musasa wedu murenje, uye imi mungava meso edu. Kana mukaenda nesu, tichagovana nemi chinhu chipi nechipi chatichapiwa naJehovha.” Saka vakasimuka kubva pagomo raJehovha vakafamba kwamazuva matatu. Areka yaJehovha yesungano yakavatungamirira pamazuva matatu iwayo kuti vatsvakirwe nzvimbo yokuzororera. Gore raJehovha rakanga riri pamusoro pavo masikati pavakasimuka kubva pamusasa. Paingosimuka areka, Mozisi aiti, “Haiwa Jehovha, simukai! Vavengi venyu ngavaparadzirwe, vavengi venyu ngavatize pamberi penyu.” Payaigadzikwa pasi, iye aiti, “Haiwa Jehovha, dzokai kuzviuru nezviuru zvavaIsraeri.” Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa. Vanhu vakati vachema kuna Mozisi, akanyengetera kuna Jehovha moto ukadzima. Saka nzvimbo iyo yakanzi Tabhera, nokuti moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo. Vatorwa vakanga vari pakati pavo vakatanga kupanga zvimwewo zvokudya, uyezve vaIsraeri vakatanga kuungudza vachiti, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye? Tinorangarira hove dzataidya muIjipiti tisingatengi; magaka, manwiwa, hanyanisi huru, hanyanisi diki nemhiripiri. Asi zvino tafinhwa; hapana chimwe chinhu chatiri kuwana kunze kwemana iyi.” Mana yakanga yakaita semhodzi yekorianda uye ichiratidzika samazambiringa akaoma. Vanhu vaitenderera vachiinhonga, uye, vaizoikuya paguyo kana kuidzvura muduri. Vaiibika muhari kana kuita makeke. Uye yainaka kunge chinhu chakabikwa namafuta omuorivhi. Dova raiti rawira pamusoro pomusasa usiku, mana yaiwawo. Mozisi akanzwa vanhu vemhuri dzose vachiungudza, mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Jehovha akatsamwa kwazvo, uye Mozisi akatambudzika. Akabvunza Jehovha akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamuranda wenyu? Chiiko chandakaita chisingakufadzei zvokuti makaisa mutoro wavanhu ava vose pamusoro pangu? Ko, ndini ndakaita kuti vanhu vose ava vaumbwe here? Ko, ndini ndakavabereka here? Seiko muchindiita kuti ndivatakure mumaoko angu, somureri anotakura mwana mucheche kuti ndiende navo kunyika yamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo? Ndingawanepiko nyama yandingapa vanhu vose ava? Vanoramba vachingondichemera vachiti, ‘Tipe nyama yokudya.’ Handingatakuri vanhu ava vose ndoga; mutoro unondiremera kwazvo. Kana muchida kundiitira saizvozvo, ndiurayei henyu iye zvino, kana ndawana hangu nyasha pamberi penyu, uye musandirega ndichiona kuparara kwangu.” Jehovha akati kuna Mozisi, uya navakuru vavaIsraeri makumi manomwe vaunoziva savatungamiri namachinda pakati pavanhu. Uite kuti vauye kuTende Rokusangana, kuti vamire newe ipapo. Ini ndichaburuka ndigozotaura newe ipapo, uye ndichatora Mweya uri pamusoro pako ndigoisa Mweya iwoyo pamusoro pavo. Ivo vachakubatsira kutakura mutoro wavanhu kuitira kuti iwe urege kuutakura woga. “Udza vanhu kuti: ‘Zvinatsei mugadzirire zvamangwana, pamuchadya nyama. Jehovha akakunzwai pamakaungudza muchiti, “Dai bedzi taiva nenyama yokudya! Takanga tiri nani muIjipiti!” Zvino Jehovha achakupai nyama, uye muchaidya. Hamungaidyi kwezuva rimwe chete, kana mazuva maviri kana mashanu, gumi kana makumi maviri, asi kwomwedzi wose, kusvikira yabuda nomumhino dzenyu uye mukaisema, nokuti makaramba Jehovha, ari pakati penyu, uye maisema pamberi pake muchiti, “Takambobvireiko kuIjipiti?” ’ ” Asi Mozisi akati, “Hezvi ndiri pakati pavanhu mazana matanhatu ezviuru vanofamba netsoka, zvino imi munoti, ‘Ini ndichavapa nyama kuti vadye kwomwedzi wose!’ Zvichavaringana here kana dai vakaurayirwa makwai nemombe? Zvichavaringana here kana dai vakabatirwa hove dzose dziri mugungwa?” Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Ko, ruoko rwaJehovha rwakapfupiswa here? Zvino uchaona kuti zvandinoreva zvichaitika here kana kuti kwete.” Saka Mozisi akabuda akandoudza vanhu zvakanga zvataurwa naJehovha. Akaunganidza vakuru vavo makumi manomwe akavaita kuti vamire vakapoteredza Tende. Ipapo Jehovha akaburuka ari mugore akataura navo uye akatora mweya wakanga uri pamusoro pake akaisa mweya uyu pamusoro pavakuru makumi manomwe. Mweya wakati wagara pamusoro pavo vakaprofita, asi havana kuzopamhazve. Kunyange zvakadaro, varume vaviri, vainzi Eridhadhi naMedhadhi, vakanga vasara mumusasa. Ivo vakanga vaverengwa pakati pavakuru, asi havana kubuda kuti vaende kuTende. Asi Mweya wakagarawo pamusoro pavo uye, vakaprofita vari mumusasa. Mumwe mujaya akamhanya akandoudza Mozisi akati, “Eridhadhi naMedhadhi vari kuprofita vari mumusasa.” Joshua mwanakomana waNuni, uyo akanga ari mubatsiri waMozisi kubva paujaya hwake, akataura nesimba akati, “Mozisi, ishe wangu, vadzivisei!” Asi Mozisi akapindura akati, “Ko, iwe une godo nokuda kwangu here? Ndinoshuva kuti dai vanhu vaJehovha vose vava vaprofita uye kuti dai Jehovha aisa mweya wake pamusoro pavo!” Ipapo Mozisi navakuru vavaIsraeri vakadzokera kumusasa. Zvino mhepo yakabuda ichibva kuna Jehovha ikasunda zvihuta zvichibva kugungwa. Yakazvikanda pasi kumativi ose omusasa zvikaita murwi ungada kuita makubhiti maviria kubva pasi, kusvika pangafambwa rwendo rwezuva rimwe chete kumativi ose. Zuva rose iroro nousiku hwose uye nezuva rose rakatevera vanhu vakabuda kundounganidza zvihuta. Hakuna akaunganidza zvaiva pasi pamahomeri gumib. Ipapo vakazviyanika vakapoteredza musasa. Asi nyama ichiri pakati pamazino avo uye isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavanhu, akavarova nehosha yakaipisisa. Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa kunzi Kibhuroti Hatava, nokuti vakaviga vanhu vakanga vakarira zvimwewo zvokudya. Vanhu vakabva paKibhuroti Hatava vakaenda kuHazeroti vakandogara ikoko. Miriamu naAroni vakatanga kupopotera Mozisi nokuda kwomukadzi wake aiva muEtiopia, nokuti akanga awana muEtiopia. “Ko, Jehovha akangotaura naMozisi oga here? Ko, haana kutaura kubudikidza nesuwo here?” Uye Jehovha akazvinzwa. Zvino Mozisi akanga ari munhu akapfava kwazvo, akapfava kupfuura ani zvake pamusoro penyika. Pakarepo Jehovha akati kuna Mozisi, Aroni naMiriamu, “Budai muuye kuTende Rokusangana, mose muri vatatu.” Saka vakabuda ivo vari vatatu. Ipapo Jehovha akaburuka ari mushongwe yegore; akamira pamukova wokupinda kuTende akadana Aroni naMiriamu. Vakati vachibuda vari vaviri, akati kwavari, “Teererai mashoko angu: “Kana pano muprofita pakati penyu, ndinozviratidza kwaari nezviratidzo, ndinotaura naye muzviratidzo, ndinotaura naye muzviroto. Asi hazvina kudaro kuna Mozisi muranda wangu; iye akatendeka muimba yangu yose. Ndinotaura naye takatarisana, pachena kwete nezvirahwe; iye anoona chimiro chaJehovha. Zvino makarega seiko kutya kutaura muchipopotera muranda wangu Mozisi?” Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavo, uye akavasiya. Gore rakati rabva pamusoro peTende, onei Miriamu amirepo ava namaperembudzi, akaita sechando. Aroni akatendeukira kwaari akaona kuti akanga ava namaperembudzi. Ipapo akati kuna Mozisi, “Ndapota, ishe wangu, regai kuisa pamusoro pedu chivi chataita noupenzi. Musarega achifanana nomwana akazvarwa akafa mudumbu ramai vake hafu yenyama yake yakadyiwa.” Saka Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Haiwa Mwari, ndapota hangu muporesei!” Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Dai baba vake vanga vamupfira kumeso kwake, haazainyara kwamazuva manomwe here? Mubudise kunze kwomusasa kwamazuva manomwe; mugomudzosa henyu pashure.” Saka Miriamu akabudiswa kunze kwomusasa kwamazuva manomwe, uye vanhu havana kupfuurira mberi kusvikira adzoswa. Shure kwaizvozvo, vanhu vakabva paHazeroti vakandodzika musasa muRenje reParani. Jehovha akati kuna Mozisi, “Tuma vamwe varume kuti vandosora nyika yeKenani, yandiri kupa kuvaIsraeri. Tuma mutungamiri mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe rwamadzitateguru avo.” Saka, sokurayira kwaJehovha, Mozisi akavatuma vachibva nokurenje reParani. Vose vakanga vari vatungamiri vavaIsraeri. Haano mazita avo: kubva kurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri; kubva kurudzi rwaSimeoni, Shafati mwanakomana waHori; kubva kurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune; kubva kurudzi rwaIsakari, Igari mwanakomana waJosefa; kubva kurudzi rwaEfuremu, Hoshea mwanakomana waNuni; kubva kurudzi rwaBhenjamini, Pareti mwanakomana waRafu; kubva kurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi; kubva kurudzi rwaManase (rudzi rwaJosefa), Gadhi mwanakomana waSusi; kubva kurudzi rwaDhani, Amieri mwanakomana waGemari; kubva kurudzi rwaAsheri, Seturi mwanakomana waMikaeri; kubva kurudzi rwaNafutari, Nabhi mwanakomana waVhofisi; kubva kurudzi rwaGadhi, Generi mwanakomana waMaki. Aya ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundosora nyika. (Mozisi akatumidza Hoshia mwanakomana waNuni zita rokuti Joshua). Mozisi akati avatuma kundosora nyika yeKenani, akati kwavari, “Kwirai mupinde nechokuNegevhi uye nomunyika yamakomo. Mundoona kuti nyika yakadini uye kuti vanhu vanogarako vakasimba here kana kuti havana, vashoma here kana kuti vazhinji. Nyika yavanogara yakadini? Yakanaka here kana kuti yakaipa? Maguta avagere maari akadiniko? Haana masvingo here kana kuti akakomberedzwa? Ko, ivhu racho rakadini? Rakaorera here kana kuti kwete? Mune miti here kana kuti hamuna? Muedze kwazvo kuti muuye nezvimwe zvezvibereko zvenyika iyo.” (Yakanga iri nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa). Naizvozvo vakakwira vakandosora nyika kubva kurenje reZini kusvikira kuRehobhi, kwakanangana neRebho Hamati. Vakakwira vachipinda nechokuNegevhi vakasvika kuHebhuroni paigara Ahimeni, Sheshai naTarimai, zvizvarwa zvaAnaki. (Hebhuroni rakanga ravakwa makore manomwe Zoani risati ravakwa muIjipiti). Vakati vasvika paMupata weEshikori, vakatema davi rimwe raiva nesumbu ramazambiringa. Vaviri vavo vakaritakura nedanda pakati pavo pamwe chete namatamba uye namaonde. Nzvimbo iyo yakanzi Mupata weEshikori nokuda kwesumbu ramazambiringa rakatemwa ipapo navaIsraeri. Mazuva makumi mana akati apera, vakadzoka kubva kundosora nyika. Vakadzokera kuna Mozisi naAroni nokuungano yose yavaIsraeri paKadheshi murenje reParani. Ipapo vakazivisa kwavari nokuungano yose uye vakavaratidza zvibereko zvenyika. Vakapa nhoroondo iyi kuna Mozisi: “Takaenda kunyika yamakatituma, uye inoerera mukaka nouchi! Hezvi zvibereko zvayo. Asi vanhu vanogarako vane simba kwazvo, uye maguta akakomberedzwa uye makuru kwazvo. Takaona kunyange zvizvarwa zvaAnaki ikoko. VaAmareki vanogara nechokuNegevhi; vaHiti, vaJebhusi navaAmori vanogara munyika yamakomo; uye vaKenani vanogara pedyo negungwa uye vakatevedza Jorodhani.” Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, “Tinofanira kukwira tindotora nyika nokuti zvirokwazvo tinogona kuitora.” Asi varume vakanga vaenda naye vakati, “Hatigoni kurwisa vanhu ava; vakasimba kutipfuura isu.” Saka vakaparadzira mashoko akaipa pakati pavaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vandosora. Vakati, “Nyika yatakandosora inodya vaya vanogaramo. Vanhu vose vatakaona ikoko vakakura kwazvo. Takaona vaNefirimi ikoko (Izvo zvizvarwa zvavaAnaki vanobva kuvaNefirimi). Isu tainge mhashu pakuona kwedu, uye tainge takadarowo pakuona kwavo.” Usiku ihwohwo vanhu vose veungano vakasimudza manzwi avo vakachema zvikuru. VaIsraeri vose vakapopotera Mozisi naAroni uye ungano yose yakati kwavari, “Dai bedzi takanga tafira muIjipiti! Kana murenje rino! Ko, Jehovha ari kuuyireiko nesu kunyika ino zvoongotirega tichindourayiwa nomunondo? Vakadzi navana vedu vachatorwa senhapwa. Hazvaiva nani here kuti tidzokore kuIjipiti?” Zvino vakataurirana vachiti, “Tinofanira kusarudza mutungamiri tidzokere kuIjipiti.” Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavaIsraeri yakanga iri ipapo. Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, avo vakanga vari pakati pavaya vakanga vandosora nyika, vakabvarura nguo dzavo. Vakati kuungano yose yavaIsraeri, “Nyika yatakapfuura napakati payo tikaisora yakanaka kwazvo. Kana Jehovha achifadzwa nesu, achatitungamirira kuti tipinde munyika iyoyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, agoipa kwatiri. Chete imi regai kumukira Jehovha. Uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti tichavamedza. Kudzivirirwa kwavo kwabviswa, asi Jehovha anesu. Musavatya.” Asi ungano yose yakataura nezvokuti vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa paTende Rokusangana navaIsraeri vose. Jehovha akati kuna Mozisi, “Vanhu ava vachasvika riniko vachingondizvidza? Vacharamba kunditenda kusvikira riniko, kunyange ndakaita zviratidzo nezvishamiso zvose pakati pavo? Ndichavarova nedenda ndigovaparadza, asi iwe ndichakuita rudzi rukuru kwazvo uye rwakasimba kukunda ivo.” Mozisi akati kuna Jehovha, “Ipapo vaIjipita vachanzwa pamusoro pazvo! Kuti makabudisa vanhu ava kubva pakati pavo nesimba renyu. Uye vachaudza vanhu vanogara munyika ino pamusoro pazvo. Vakatozvinzwa kare kuti imi, Jehovha, mugere navanhu ava uye kuti imi, Jehovha, makaonekwa chiso nechiso, uye kuti gore renyu rinogara pamusoro pavo, uye kuti munovatungamirira neshongwe yegore masikati uye neshongwe yomoto usiku. Kana mukauraya vanhu vose ava panguva imwe chete, ndudzi dzakanzwa mukurumbira uyu pamusoro penyu dzichati, ‘Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avavimbisa nemhiko; saka akavauraya murenje.’ “Zvino simba raJehovha ngariratidzwe, sezvamakataura muchiti: ‘Jehovha anononoka kutsamwa, azere norudo uye anoregerera zvivi nokumukira. Kunyange zvakadaro haangaregi kuranga ane mhosva, anoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.’ Zvichienderana norudo rwenyu rukuru, regererai chivi chavanhu ava, sezvamakavaregerera kubva panguva yavakabva kuIjipiti kusvikira zvino.” Jehovha akapindura akati, “Ndavaregerera sezvawakumbira iwe. Asi hazvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, uye zvirokwazvo sokuzara kunoita nyika yose nokubwinya kwaJehovha, hakuna mumwe wavarume vakaona kubwinya kwangu nezvishamiso zvandakaita muIjipiti nomurenje asi vakasanditeerera, uye vakandiedza kanokwana kagumi, hakuna mumwe wavo achazoona nyika yandakavimbisa madzitateguru avo nemhiko. Hakuna kana mumwe akandizvidza achazofa akaona nyika yandakavimbisa madzitateguru avo nemhiko. Hakuna kana mumwe akandizvidza achazofa akaiona. Asi nokuda kwokuti muranda wangu Karebhu ano mweya wakasiyana navamwe uye anonditevera nomwoyo wose, ndichamupinza munyika yaakaenda kwairi, uye ichava nhaka yezvizvarwa zvake. Sezvo vaAmareki navaKenani vachigara mumipata, dzokai mangwana mufambe makananga kurenje muchitevedza nzira inoenda nokuGungwa Dzvuku.” Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Ungano iyi icharamba ichindipopotera kusvikira riniko? Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsraeri vokungopopota havo ava. Saka vaudze kuti, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakuitirai zvinhu zvacho zvandakanzwa muchireva muchiti: Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino, imi mose muna makore makumi maviri kana makumi maviri neanoraudza makaverengwa pakuverengwa uye mukandipopotera. Hakuna mumwe wenyu achapinda munyika yandakakupikirai noruoko rwakasimudzwa kuti uve musha wenyu, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni. Asi kana vari vana venyu vamakati vachatapwa, ndichavapinza kuti vafare munyika yamaramba imi. Asi imi zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino. Vana venyu vachava vafudzi muno kwamakore makumi mana, vachitambudzika nokuda kwokusatendeka kwenyu, kusvikira chitunha chenyu chokupedzisira chavata murenje rino. Kwamakore makumi mana, gore richimirira zuva rimwe nerimwe ramazuva makumi mana amakasora nyika, muchatambudzika nokuda kwezvivi zvenyu uye muchaziva kuti zvinoita sei kuti ini ndirwe nemi.’ Ini, Jehovha, ndazvitaura, uye zvirokwazvo ndichaita zvinhu izvi kuungano yose iyi yakaipa, yakabatana pamwe chete kuti indirwise. Vachaperera murenje muno; vachafira muno.” Saka varume vakanga vatumwa naMozisi kundosora nyika, vaya vakadzoka vakaita kuti ungano yose ipopotere Mozisi nemhaka yokuparidzira mashoko akaipa pamusoro payo, varume ava vakanga vaparadzira mashoko akaipa pamusoro penyika, vakarohwa vakaurayiwa nedenda pamberi paJehovha. Pavarume vakaenda kundosora nyika, Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune ndivo bedzi vakararama. Mozisi akati azivisa izvi kuvaIsraeri vose, vakachema zvikuru. Mangwana acho mangwanani, vakakwira vakananga kumusoro kunyika yamakomo marefu. Vakati, “Takatadza hedu. Tichakwira tiende kunyika yatakavimbiswa naJehovha.” Asi Mozisi akati kwavari, “Sei musingateereri kurayira kwaJehovha? Izvi hazvibudiriri! Musakwira kumusoro nokuti Jehovha haazi pakati penyu. Muchakundwa navavengi venyu, nokuti vaAmareki navaKenani vachasangana nemi ikoko. Nokuti makafuratira Jehovha, iye haangavi nemi uye muchaurayiwa nomunondo.” Kunyange zvakadaro, nepfungwa dzavo, vakaenda vakananga kunyika yamakomo marefu, kunyange Mozisi asina kuenda uye areka yaJehovha yesungano isina kubviswawo pamusasa. Ipapo vaAmareki navaKenani vaigara munyika yamakomo vakaburuka vakavarwisa vakavadzingirira kusvikira kuHoma. Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare, uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokungopa kana zvipiriso zvemitambo, ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehinib yamafuta. Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. “ ‘Munofanira kugadzira negondohwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefac youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechetatu chehinid yamafuta, uye chetatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuwira chinofadza kuna Jehovha. “ ‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana, munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi cheefae youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehinif yamafuta pamwe chete nehando. Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira chinofadza Jehovha. Hando imwe neimwe kana gondohwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi. Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira. “ ‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Kumarudzi anotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi. Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi anotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa. Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso. Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro. Kusvikira kumarudzi anotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga. “ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha, zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kumarudzi anotevera, uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, nehando yembudzi kuti ive chipiriso chechivi. Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi. Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi. “ ‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi. Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa. Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa. “ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’ ” VaIsraeri vachiri murenje, mumwe munhu akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata. Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose, uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvinofanira kuitwa kwaari. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Munhu uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.” Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira, kumarudzi achatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe. Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu. Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ” Kora mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, navamwe vaRubheni, Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni mwanakomana waPoreti, vakazvikudza uye vakamukira Mozisi. Vakanga vane varume mazana maviri namakumi mashanu avaIsraeri, vatungamiri vaizivikanwa kwazvo muungano vakanga vagadzwa kuti vave nhengo dzamakurukota. Vakauya vari chikwata kuti vazopikisa Mozisi naAroni vakati kwavari, “Mazonyanya zvino! Ungano yose itsvene, mumwe nomumwe wavo zvake, uye Jehovha ari pakati pavo. Zvino munozviisireiko pamusoro peungano yaJehovha?” Mozisi akati anzwa izvozvo, akawira pasi nechiso. Ipapo akati kuna Kora navateveri vake vose, “Mangwanani Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndavapi uye kuti mutsvene ndiani, uye achaita kuti munhu uyo aswedere kwaari. Munhu waachasarudza ndiye waachaswededza kwaari. Iwe Kora, navateveri vako vose munofanira kuita izvi: Torai hadyana dzezvinonhuwira uye mangwana muise moto nezvinonhuwira madziri mugoenda nadzo pamberi paJehovha. Munhu achasarudzwa naJehovha ndiye achava mutsvene. Imi vaRevhi mazonyanya zvino!” Mozisi akatizve kuna Kora, “Chinzwai zvino, imi vaRevhi! Ko, hazvina kukwana kwamuri here kuti Mwari wavaIsraeri akakutsaurai pakati peungano yavaIsraeri vose akakuswededzai pedyo naye kuti muite basa patabhenakeri yaJehovha uye kuti mumire pamberi peungano mugovashandira? Akakuswededzai imi nehama dzenyu ivo vaRevhi, asi zvino mava kuedza kubvuta upristawo. Uku kurwa naJehovha zvamadai kusungana pamwe chete iyemi navose vanokuteverai. Aroni ndianiko wamunopopotera?” Ipapo Mozisi akadana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu. Asi ivo vakati, “Hatiuyiko! Hazvina kukwana here kuti makatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi kuti muzotiurayira murenje? Uye iye zvino munoda kubata ushe pamusoro pedu here? Pamusoro pezvo, hamuna kutisvitsa kunyika inoyerera mukaka nouchi kana kutipa nhaka yeminda neminda yemizambiringa. Muchada kutumbura meso avanhu ava here? Haiwa, isu hatiuyiko!” Ipapo Mozisi akatsamwa zvikuru akati kuna Jehovha, “Musagamuchira chipiriso chavo. Handina kutovatorera kana mbongoro, uye handina kutadzira kana mumwe wavo.” Mozisi akati kuna Kora, “Iwe navose vanokutevera munofanira kumira pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo naAroni. Murume mumwe nomumwe ngaatore hadyana yake aise zvinonhuwira mairi, hadyana mazana maviri namakumi mashanu pamwe chete mugodziisa pamberi paJehovha. Iwe naAroni munofanira kuuyawo nehadyana dzenyu.” Saka murume mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto nezvinonhuwira mairi, uye vakamira naMozisi naAroni pamukova wokupinda muTende Rokusangana. Kora akati aunganidza vateveri vake vose vaipikisana navo pamukova wokupinda muTende Rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Zvitsaurei imi paungano iyi kuitira kuti ndivaparadze izvozvi.” Asi Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo vakadanidzira zvikuru vachiti, “Haiwa Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, mungatsamwira ungano yose here munhu mumwe chete angotadza?” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuungano, ‘Sudurukai mubve pamatende aKora, Dhatani naAbhiramu.’ ” Mozisi akasimuka akaenda kuna Dhatani naAbhiramu uye vakuru veIsraeri vakamutevera. Akayambira ungano akati, “Sudurukai mubve pamatende avanhu vakaipa ava! Musabata chinhu chipi zvacho chinenge chiri chavo, kuti murege kuparadzwa nokuda kwezvivi zvavo zvose.” Saka vakasuduruka vakabva pamatende aKora, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu vakanga vabuda kunze uye vakanga vakamira navakadzi vavo, vana navacheche vari pamukova pamatende avo. Ipapo Mozisi akati, “Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite zvinhu izvi zvose uye kuti dzakanga dzisiri pfungwa dzangu: Kana varume ava vakafa savamwe vanhu uye vakasangana nezvinongoitika kuvanhu vose, ipapo Jehovha anenge asina kundituma. Asi kana Jehovha akauyisa chimwe chinhu chitsva uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nezvose zvavo, uye vakaburukira muguva vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vazvidza Jehovha.” Akati achangopedza kutaura zvose izvi, pasi pavo pakatsemuka uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nenhumbi dzavo navanhu vose vaKora nezvinhu zvavo zvose. Vakaburukira muguva vari vapenyu, nezvinhu zvavo zvose; nyika ikavafukidza, vakaparara vakabva pakati peungano. Pavakachema, vaIsraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza, vachidanidzira vachiti, “Nyika ichatimedza nesuwo!” Ipapo moto wakabuda uchibva kuna Jehovha ukaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu vakanga vachipisira zvinonhuwira. Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, kuti abvise hadyana parufuse agoparadzira mazimbe kure nokuti hadyana itsvene, idzo hadyana dzavarume vaye vakatadza vakaurayiwa. Pwanyai hadyana mugoita chifukidziro chearitari nadzo, nokuti dzakauyiswa pamberi paJehovha dzikava tsvene. Ngadzive chiratidzo kuvaIsraeri.” Saka Ereazari muprista akaunganidza hadyana dzendarira dzakauya navaya vakanga vapiswa, akaita kuti dzipwanyiwe kuti dzigova chifukidzo chearitari, sezvaakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Ichi chaiva chirangaridzo kuvaIsraeri chokuti hakuna munhu anofanira kupisira zvinonhuwira pamberi paJehovha kunze kwechizvarwa chaAroni kuti aregere kuzofanana naKora navateveri vake. Fume mangwana, ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. Vakati, “Imi makauraya vanhu vaJehovha.” Asi ungano yakati yaungana pamwe chete ichipikisana naMozisi naAroni vakatarira kuTende Rokusangana, pakarepo gore rikaifukidza uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa. Ipapo Mozisi naAroni vakaenda mberi kweTende Rokusangana, uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ibva paungano iyi kuti ndivaparadze iye zvino.” Ipapo vakawira pasi nezviso zvavo. Zvino Mozisi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako ugoisa zvinonhuwira mairi pamwe chete nomoto unobva paaritari, uchimbidze kuenda kuungano undovayananisira. Hasha dzabuda dzichibva kuna Jehovha; denda ratotanga.” Saka Aroni akaita sezvakarehwa naMozisi, akamhanyira pakati peungano. Denda rakanga ratotanga pakati pavanhu, asi Aroni akapisira zvinonhuwira akavayananisira. Akamira pakati pavapenyu navakafa, denda rikamirawo. Asi vanhu zviuru gumi nezvina namazana manomwe vakafa nedenda, vachiwedzera pane vaya vakanga vafa nokuda kwaKora. Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi pamukova wokupinda muTende Rokusangana, nokuti denda rakanga rapera. Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri utore tsvimbo gumi nembiri kubva kwavari, imwe chete kubva kuno mumwe nomumwe wavatungamiri vamarudzi amadzitateguru avo. Unyore zita romurume mumwe nomumwe patsvimbo yake. Patsvimbo yaRevhi unyore zita raAroni, nokuti panofanira kuva netsvimbo imwe chete yomukuru mumwe nomumwe worudzi rwamadzitateguru avo. Udziise muTende Rokusangana pamberi peChipupuriro, pandinosangana nemi. Tsvimbo yomunhu wandichasarudza ichabukira mashiza, uye ndichagumisa kupopota uku kwavaIsraeri kuri kuramba kuripo pamusoro pako.” Saka Mozisi akataura navaIsraeri, uye vatungamiri vavo vakamupa tsvimbo gumi nembiri, imwe chete iri yomutungamiri mumwe nomumwe wamarudzi amadzitateguru avo, uye tsvimbo yaAroni yakanga iri pakati padzo. Mozisi akaisa tsvimbo idzi pamberi paJehovha muTende reChipupuriro. Fume mangwana Mozisi akapinda muTende reChipupuriro uye akaona kuti tsvimbo yaAroni, iyo yaiva yakamirira imba yaRevhi, yakanga isina kungobukira bedzi asi yakanga yatungira, yava namaruva uye yabereka maarimondi. Ipapo Mozisi akatora tsvimbo dzose kubva pamberi paJehovha akaenda nadzo kuvaIsraeri vose. Vakadzitarisa, ipapo murume mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake. Jehovha akati kuna Mozisi, “Dzorera tsvimbo yaAroni pamberi peTende reChipupuriro, kuti ichengetwe sechiratidzo kuvanhu vanondimukira. Izvozvi zvichagumisa kundipopotera kwavo, kuti varege kufa.” Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha, izvozvo ndizvo zvaakaita. VaIsraeri vakati kuna Mozisi, “Isu tichafa hedu! Takarasika, takarasika isu tose! Ani naani achaswedera patabhenakeri yaJehovha achafa. Ko, isu tose tichafa here?” Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe, navanakomana vako nemhuri yababa vako munofanira kuva nebasa rokutakura mhosva dzinotadzirwa nzvimbo tsvene, uye iwe navanakomana vako bedzi ndimi munofanira kuita basa rokutakura mhosva dzinotadzirwa basa rouprista. Uya nehama dzako ivo vaRevhi vanobva kurudzi rwamadzitateguru ako kuti vazobatana newe uye vagokubatsira iwe navanakomana vako pamunoshumira pamberi peTende reChipupuriro. Vanofanira kuva pasi pako uye vanofanira kuita mabasa ose eTende asi havafaniri kuswedera pedyo nemidziyo yenzvimbo tsvene kana aritari, kana kuti mose ivo newe muchafa. Vanofanira kubatana newe vagoita basa rokuchengeta Tende Rokusangana, basa rose rapaTende uye hakuna mumwezve anofanira kuswedera pauri. “Munofanira kuva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene nearitari, kuti hasha dzirege kuwira pavaIsraerizve. Ini pachangu ndakasarudza hama dzako ivo vaRevhi pakati pavaIsraeri kuti vave sechipo kwauri, vakumikidzwe kuna Jehovha kuti vaite basa paTende Rokusangana. Asi iwe chete navanakomana vako ndimi mungashanda savaprista pazvinhu zvose zviri paaritari nezviri mukati mechifukidziro. Ndiri kukupai basa rouprista sechipo. Ani naani anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.” Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Ini ndimene ndakugadza kuti uve muchengeti wezvipiriso zvinopiwa kwandiri; zvipiriso zvose zvitsvene zvinopiwa kwandiri navaIsraeri ndinozvipa kwauri iwe navanakomana vako somugove wako uye ugova mugove wako wamazuva ose. Iwe unofanira kuva nomugove wezvipiriso zvitsvene-tsvene zvinosiyiwa pamoto. Pazvipo zvose zvavanondivigira sezvipiriso zvitsvene-tsvene, zvingava zvezviyo kana zvechivi kana chipiriso chemhosva, chikamu ichocho ndechako iwe navanakomana vako. Muchidye sechinhu chitsvene-tsvene; murume wose achachidya. Chinofanira kuva chitsvene kwamuri. “Izvi, ndezvako zvakare: chimwe nechimwe chinotsaurwa kubva pazvipo zvose zvezvipiriso zvinoninirwa zvavaIsraeri. Ndinokupa izvi iwe navanakomana vako navanasikana vako somugove wako wamazuva ose. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya hake. “Ndinokupa mafuta omuorivhi akaisvonaka uye waini yose yakaisvonaka nezviyo zvavanovigira Jehovha sezvibereko zvokutanga zvegohwo ravo. Zvibereko zvose zvenyika zvavanovigira Jehovha zvichava zvako. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya. “Zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha muIsraeri ndezvako. Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka. Kana zvava nomwedzi mumwe chete, unofanira kuzvidzikinura nomutengo wedzikinuro wakatarwa wamashekeri mashanua esirivha, maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. “Asi haufaniri kudzikinura mhuru nzombe yedangwe, gwai kana mbudzi zvitsvene. Usase ropa razvo paaritari ugopisa mafuta azvo sechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Nyama yazvo ichava yako, sezvakangoita chityu chechipiriso chokuninira nechidya chokurudyi zvagara zviri zvako. Ndinokupa zvose zvipiriso zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, iwe navanakomana navanasikana vako somugove wako wenguva yose. Isungano yemunyu nokusingaperi pamberi paJehovha kwamuri mose iwe nezvizvarwa zvako.” Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungawani nhaka munyika mavo, uye haungavi nomugove nenhaka pakati pavaIsraeri. “VaRevhi ndinovapa zvegumi zvose zvavaIsraeri senhaka yavo kutsiva basa ravanoita pavanenge vachishumira paTende Rokusangana. Kubva zvino zvichienda mberi, vaIsraeri havafaniri kuswedera kuTende Rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo vakazofa. VaRevhi ndivo vanofanira kuita basa paTende Rokusangana uye vagotakura zvakaipa zvavo. Uyu mutemo uchagara uripo kusvikira kumarudzi anotevera. Ivo havangawani nhaka pakati pavaIsraeri. Pachinzvimbo chaizvozvo ndinopa kuvaRevhi nhaka yezvegumi zvinopiwa kuna Jehovha navaIsraeri. Ndokusaka ndakati kwavari: ‘Havangavi nenhaka pakati pavaIsraeri.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaRevhi uti kwavari: ‘Pamunogamuchira zvegumi kubva kuvaIsraeri zvandinokupai senhaka yenyu, munofanira kupa chegumi chezvegumi sechipiriso chaJehovha. Chipiriso chako chichaverengwa kwauri sechezviyo zvinobva paburiro kana muto wewaini unobva pachisviniro chewaini. Nenzira iyi nemiwo munofanira kupa chipiriso kuna Jehovha kubva pazvegumi zvose zvamunogamuchira kubva kuvaIsraeri. Kubva pazvegumi izvi, munofanira kupa mugove waJehovha kuna Aroni muprista. Munofanira kupa somugove waJehovha chakanakisisa uye chikamu chitsvene chezvinhu zvose zvamunenge mapiwa.’ “Uti kuvaRevhi: ‘Pamunouyisa chikamu chakanakisisa, chichagamuchirwa kubva kwamuri sechakabva paburiro kana pachisviniro chewaini, iwe nemhuri yako mungadya henyu zvakasara zvose chero pamunenge muri, nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa renyu rapaTende Rokusangana. Hamungazovi nemhosva pachinhu kana muchiuyisa chikamu chakanakisisa chacho; ipapo hamungazosvibisi zvitsvene zvavaIsraeri, uye hamuzofi.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Izvi ndizvo zvinodikanwa pamurayiro wakarayirwa naJehovha. Udza vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina kuremara, kana charingapomerwa uye risina kumbosungwa pajoko. Uripe kuna Ereazari muprista; rinofanira kubudiswa kunze kwomusasa rigourayiwa pamberi pake. Ipapo Ereazari muprista anofanira kutora rimwe reropa raro nomunwe agorisasa kanomwe akananga mberi kweTende Rokusangana. Akatarisa, tsiru rinofanira kupiswa, dehwe raro, nyama yaro namazvizvi aro. Muprista anofanira kutora huni dzomusidhari, hisopi nomucheka mutsvuku agozvikanda pamusoro petsiru riri kutsva. Shure kwaizvozvo, muprista anofanira kusuka nguo dzake uye azvishambidze nemvura. Ipapo angachipinda hake mumusasa, asi achange asina kunatswa kusvikira madekwana. Munhu acharipisa naiyewo anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura uye iyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana. “Munhu akachena achaunganidza madota etsiru agoaisa panzvimbo yakanaka iri kunze kwomusasa. Achachengetwa neungano yavaIsraeri kuti agoshandiswa pamvura yokunatsa; ndeyokunatswa kubva pachivi. Munhu anounganidza madota etsiru anofanirawo kusuka nguo dzake, naiyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana. Mutemo uyu uchagara uripo pakati pavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo. “Ani naani anobata chitunha chaani zvake achava asina kuchena kwamazuva manomwe. Anofanira kuzvinatsa nemvura nezuva retatu uye nezuva rechinomwe; ipapo achava akachena. Ani naani anobata chitunha chaani zvake akasazvinatsa anosvibisa tabhenakeri yaJehovha. Munhu uyu anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. Nokuti mvura yokunatsa haina kumbosaswa pamusoro pake, haana kuchena; kusachena kwake kucharamba kuri paari. “Uyu ndiwo murayiro unobata pamunhu anofira mutende: Ani naani anopinda mutende uye ani zvake ari mariri achava asina kuchena kwamazuva manomwe, uye midziyo yose yakazarurwa, isina kukwidibirwa, ichava isina kuchena. “Ani naani ari musango anobata munhu akaurayiwa nomunondo kana mumwe munhu akangofawo zvake, kana munhu anobata bvupa romunhu kana guva, achava asina kuchena kwamazuva manomwe. “Kana munhu asina kuchena, utore dota rinobva pachipiriso chokunatsa chakapiswa ugoriisa muchirongo ugoridira mvura yakachena. Ipapo munhu akachena anofanira kutora hisopi, ainyike mumvura agosasa tende nemidziyo yose uye navanhu vanga varimo. Anofanira kusasawo ani zvake akabata bvupa romunhu kana guva kana mumwe munhu akaurayiwa kana munhu akangofawo zvake. Munhu akachena anofanira kusasa munhu asina kuchena nezuva rechitatu uye nerechinomwe, uye pazuva rechinomwe anofanira kumunatsa. Munhu ari kunatswa anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura, uye manheru iwayo anofanira kuva akachena. Asi kana munhu asina kuchena akasazvinatsa, anofanira kubviswa paungano, nokuti iye asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Mvura yokunatsa haina kumbosaswa paari, nokudaro haana kuchena. Uyu mutemo uchagara uripo kwavari. “Munhu anosasa mvura yokunatsa anofanirawo kusuka nguo dzake, uye ani naani anobata mvura yokunatsa achava asina kunaka kusvikira madekwana. Chinhu chose chinobatwa nomunhu asina kuchena chinova chisina kuchena, uye ani naani anochibata anova asina kuchena kusvikira madekwana.” Mumwedzi wokutanga, ungano yose yeIsraeri yakasvika murenje reZini, uye vakandogara paKadheshi. Ndipo pakafira Miriamu uye akavigwapo. Zvino pakanga pasisina mvura yeungano, uye vanhu vakaungana vakapopotera Mozisi naAroni. Vakapopotera Mozisi vachiti, “Dai zvedu takafa pakafira hama dzedu pamberi paJehovha! Seiko wakauya neungano yaJehovha murenje rino, kuti isu nezvipfuwo zvedu tifire muno. Seiko wakatibudisa muIjipiti uchitiuyisa munzvimbo yakaipa kudai? Haina zviyo kana maonde, mazambiringa kana matamba. Uye mvura yokunwa hapana!” Mozisi naAroni vakabva paungano vakaenda kumukova weTende Rokusangana vakawira pasi nezviso zvavo, uye kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari. Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora tsvimbo uye iwe nomukoma wako Aroni muunganidze ungano pamwe chete. Utaure kudombo pamberi pavo uye richabudisa mvura yaro. Iwe uchabudisa mvura kubva mudombo kuti vanwe ivo nezvipfuwo zvavo.” Saka Mozisi akatora tsvimbo pamberi paJehovha, sezvaakanga amurayira. Iye naAroni vakaunganidza ungano pamwe chete pamberi pedombo, uye Mozisi akati kwavari, “Teererai imi vokumukira, tinofanira kukubudisirai mvura padombo iri here?” Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura yakabuda, ungano nezvipfuwo zvikanwa. Asi Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Nokuti hamuna kuvimba neni zvakakwana kuti mundikudze somutsvene pamberi pavaIsraeri, imi hamuchapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.” Iyi ndiyo mvura yeMeribha, apo vaIsraeri vakarwa naJehovha uye paakazviratidza kuti mutsvene pakati pavo. Mozisi akatuma nhume ari kuKadheshi kuna mambo weEdhomu, achiti, “Zvanzi nomunun'una wako Israeri: Iwe unoziva matambudziko ose akatiwira. Madzibaba edu akaburuka achienda kuIjipiti, uye takandogarako kwamakore mazhinji. VaIjipita vakatibata zvakaipa isu namadzibaba edu, asi takati tadana kuna Jehovha, iye akatinzwa akatuma mutumwa akatibudisa muIjipiti. “Zvino tiri pano paKadheshi, guta riri kumucheto wenyika yenyu. Tapota titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatizopindi nomuminda ipi zvayo kana minda yemizambiringa kana kunwa zvako mvura mutsime ripi zvaro. Tichafamba hedu nomunzira huru yamambo uye hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tapfuura nomunyika yenyu.” Asi Edhomu akapindura akati, “Hamupfuuri napano; kana mukaedza, tichabuda tigokurwisai nomunondo.” VaIsraeri vakapindura vakati, “Tichaenda nenzira huru, uye kana isu kana zvipfuwo zvedu zvikanwa mvura yenyu, ticharipa. Tinongoda kupfuura tichifamba netsoka, hapanazve chimwe.” Vakapindurazve vachiti, “Hamungapfuuri.” Ipapo Edhomu akauya kuzovarwisa nehondo huru uye ine simba. Sezvo Edhomu akaramba kuvabvumira kupfuura nomunyika yavo, vaIsraeri vakatsauka havo kubva kwavari. Ungano yose yeIsraeri yakasimuka kubva kuKadheshi uye vakasvika paGomo reHori. PaGomo reHori, pedyo nomuganhu weEdhomu, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Aroni achachengetwa kuvanhu vokwake. Haangapindi munyika yandakapa vaIsraeri, nokuti mose muri vaviri makamukira murayiro wangu pamvura yepaMeribha. Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari ukwire navo muGomo reHori. Ubvise nguo dzaAroni udzipfekedze mwanakomana wake Ereazari nokuti Aroni achasanganiswa navanhu vokwake; achafira ipapo.” Mozisi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha: Vakakwira muGomo reHori pamberi peungano yose. Mozisi akabvisa nguo dzaAroni akadzipfekedza mwanakomana wake Ereazari. Uye Aroni akafira ipapo pamusoro pegomo. Ipapo Mozisi naEreazari vakaburuka kubva mugomo. Uye ungano yose yakati yazvinzwa kuti Aroni akanga afa, imba yose yeIsraeri yakamuchema kwamazuva makumi matatu. Mambo weAradhi muKenani aigara kuNegevhi, akati anzwa kuti vaIsraeri vakanga vachiuya nenzira inoenda kuAtarimi, akarwisa vaIsraeri akatapa vamwe vavo. Ipapo vaIsraeri vakaita mhiko iyi kuna Jehovha, vakati: “Kana mukaisa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo zvachose.” Jehovha akateerera chikumbiro chavaIsraeri akapa vaKenani kwavari. Vakavaparadza zvachose ivo namaguta avo; naizvozvo nzvimbo iyo ikatumidzwa kunzi Homa. Vakafamba vachibva nokuGomo reHori vachitevedza nzira yaienda nokuGungwa Dzvuku, kuti vapoterere Edhomu. Asi vanhu vakaora mwoyo panzira; vakapopotera Mwari naMozisi, vachiti, “Makatibudisireiko muIjipiti kuti tizofira murenje? Chingwa hapana! Mvura hapana! Uye hatidi zvokudya zvokungotamburira izvi!” Ipapo Jehovha akatuma nyoka dzino uturu pakati pavo, dzikaruma vanhu uye vaIsraeri vazhinji vakafa. Vanhu vakauya kuna Mozisi vakati, “Takatadza, patakapopotera Jehovha nemi. Nyengeterai kuti Jehovha atibvisire nyoka idzi pakati pedu.” Saka Mozisi akanyengeterera vanhu. Jehovha akati kuna Mozisi, “Gadzira nyoka ino uturu ugoiturika padanda; ani naani anorumwa, akatarira kwairi achararama.” Saka Mozisi akagadzira nyoka yendarira akaiturika padanda. Ipapo vaiti kana ani naani akange arumwa nenyoka, akatarisa panyoka yendarira, airarama. VaIsraeri vakaramba vachifamba vakandodzika musasa paObhoti. Ipapo vakasimuka kubva paObhoti vakandodzika musasa paIye Abharimi, mugwenga rakatarisana neMoabhu kwakanangana nokumabudazuva. Kubva ipapo vakaenderera mberi vakandodzika musasa muMupata weZeredhi. Vakasimuka vakabvapo vakandodzika musasa mujinga meAnoni, riri murenje rinosvika kunyika yavaAmori. Anoni ndiwo muganhu weMoabhu, pakati peMoabhu navaAmori. Ndokusaka Bhuku reHondo dzaJehovha richiti: “Wahebhi muSufa nehova, Anoni nemateru ehova dzinonanga kunzvimbo yeAri uye dzinowanikwa pamuganhu weMoabhu.” Kubva ipapo vakapfuurira mberi vachienda vakasvika kuBheeri, patsime apo pakanzi naJehovha kuna Mozisi, “Unganidza vanhu pamwe chete uye ini ndichavapa mvura.” Ipapo vaIsraeri vakaimba rwiyo urwu: “Tubuka, iwe tsime! Imbai pamusoro paro, pamusoro petsime rakacherwa namachinda, rakacherwa namakurukota avanhu, makurukota akanga ane tsvimbo dzoushe nemidonzvo.” Ipapo vakabva murenje vakaenda kuMatana, vachibva kuMatana vakaenda kuNaharieri, vachibva kuNaharieri vakaenda kuBhamoti, uye vachibva kuBhamoti vakaenda kumupata uri muMoabhu pamusoro pegomo rePisiga rinotarira pasi kurenje. VaIsraeri vakatuma nhume kundoti kuna Sihoni mambo wavaAmori: “Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatingatsaukiri muminda yenyu kana minda yemizambiringa, kana kunwa mvura kubva patsime ripi zvaro. Tichangofamba hedu nomunzira huru yamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.” Asi Sihoni haana kutendera vaIsraeri kupfuura nomunyika yake. Akaunganidza hondo yake yose vakafamba vachienda kurenje kundorwisa vaIsraeri. Akati asvika paJahazi, vakarwa navaIsraeri. Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakamukunda nomunondo vakamutorera nyika yake kubva paAnoni kusvikira kuJabhoki, asi kusvikira kuvaAmoni bedzi, nokuti muganhu wavo wakanga wakasimba. VaIsraeri vakatapa maguta ose avaAmori vakagaramo, pamwe chete neHeshibhoni nenzvimbo dzaro dzose dzokugara. Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni mambo wavaAmori, akanga arwa namambo akanga ari weMoabhu kare akamutorera nyika yake yose kundosvika kuAnoni. Ndokusaka vadetembi vachiti: “Uyai kuHeshibhoni uye ngarivakwezve; guta raSihoni ngaridzorerwezve. “Moto wakabuda muHeshibhoni, iwo murazvo kubva muguta raSihoni. Wakaparadza Ari reMoabhu, ivo vagari vokwakakwirira kweAnoni. Une nhamo, iwe Moabhu! Maparadzwa, imi vanhu veKemoshi! Akapa vanakomana vake savatizi navanasikana vake senhapwa kuna Sihoni mambo wavaAmori. “Asi takavakunda; Heshibhoni yakaparadzwa yose kusvikira kuDhibhoni. Takavaparadza kusvikira kuNofa, iyo inosvika kuMedhebha.” Saka vaIsraeri vakagara munyika yavaAmori. Shure kwokunge Mozisi atuma vasori kuJazeri, vaIsraeri vakatapa nzvimbo dzaro dzakanga dzakaripoteredza uye vakadzinga vaAmori vakanga vageremo. Ipapo vakadzoka vakakwira nenzira inoenda nokuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose akabuda kuti andosangana navo kuti arwe navo paEdhirei. Jehovha akati kuna Mozisi, “Usamutya, nokuti ndamupa kwauri, nehondo yake yose uye nenyika yake. Umuitire zvawakaitira Sihoni mambo wavaAmori, uyo aitonga muHeshibhoni.” Saka vakamuuraya, pamwe chete navanakomana vake nehondo yake yose, vakasiya pasina kana mupenyu. Uye vakatora nyika yake. Ipapo vaIsraeri vakafamba vachienda kumapani eMoabhu vakadzika misasa yavo vakatevedza Jorodhani nechemhiri kweJeriko. Zvino Bharaki mwanakomana waZipori akaona zvose zvakanga zvaitwa navaIsraeri kuvaAmori, Moabhu akatya nokuti pakanga pana vanhu vazhinji. Zvirokwazvo, Moabhu yakazara nokudedera nokuda kwavaIsraeri. VaMoabhu vakati kuvakuru veMidhiani, “Vanhu vazhinji ava vachananzva zvinhu zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva sora romusango.” Saka Bharaki mwanakomana waZipori, uyo akanga ari Mambo weMoabhu panguva iyoyo, akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori, uyo akanga ari paPetori, pedyo noRwizi, munyika yaakaberekerwa. Bharaki akati: “Vanhu vakabva kuIjipiti; vakazadza nyika yose uye vagara pedyo neni. Zvino, uya utuke vanhu ava, nokuti simba ravo iguru kwazvo kwandiri. Zvichida ipapo ndingagona kuvakunda ndikavadzinga vabude munyika ino. Nokuti ndinoziva kuti avo vaunoropafadza vanoropafadzwa, uye vaunotuka vanotukwa.” Vakuru veMoabhu neveMidhiani vakabva, vakatora mari yokuripa kuvuka. Vakati vasvika kuna Bharamu vakamuudza zvakanga zvarehwa naBharaki. Bharamu akati kwavari, “Chivatai pano, uye ndichauya nemhinduro yandichapiwa naJehovha.” Saka machinda eMoabhu akagara naye. Mwari akauya kuna Bharamu akamubvunza akati, “Vanhu vaunavo ndivanaaniko?” Bharamu akati kuna Mwari, “Bharaki mwanakomana waZipori, mambo weMoabhu, akanditumira nhume idzi achiti, ‘Vanhu vakabuda kubva kuIjipiti vakazadza nyika yose. Zvino uya unditukire vanhu ava. Zvichida izvozvi ndingagona kurwa navo ndikavadzingira kure.’ ” Asi Mwari akati kuna Bharamu, “Usaenda navo. Haufaniri kutuka vanhu avo, nokuti vakaropafadzwa.” Fume mangwana, Bharamu akamuka akati kumachinda aBharaki, “Dzokerai kunyika yokwenyu, nokuti Jehovha aramba kuti ndiende nemi.” Saka machinda eMoabhu akadzokera kuna Bharaki akati, “Bharamu akaramba kuuya nesu.” Ipapo Bharaki akatumazve mamwe machinda, akawanda chose uye aikudzwa kupinda vokutanga. Vakasvika kuna Bharamu vakati, “Zvanzi naBharaki mwanakomana waZipori: Usatendera chimwe chinhu kukukonesa kuuya kwandiri, nokuti ndichakupa mubayiro wakanaka kwazvo uye ndichaita zvose zvaunoreva. Uya unditukire vanhu ava.” Asi Bharamu akavapindura akati, “Kunyange dai Bharaki akandipa muzinda wake uzere nesirivha negoridhe, handingagoni kuita chimwe chinhu chikuru kana chiduku kuti tiite zvinodarika murayiro waJehovha Mwari wangu. Zvino chivatai pano manheru ano sezvakaita vamwe, ini ndichanzwa kana Jehovha ane zvimwe zvaangandiudza.” Usiku ihwohwo Mwari akauya kuna Bharamu akati kwaari, “Sezvo vanhu ava vauya kuzokudana, enda hako navo, asi uite chete zvandinokuudza.” Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda eMoabhu. Asi Mwari akamutsamwira zvikuru paakaenda, uye mutumwa waJehovha akamira munzira kuti amukonese. Bharamu akanga akatasva mbongoro yake, uye varanda vake vaviri vaiva naye. Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wakavhomorwa muruoko rwake, ikapinda musango. Bharamu akairova kuti idzokere munzira ikatsauka munzira. Ipapo mutumwa waJehovha akamira pakamanikana pakati peminda miviri yemizambiringa, paiva namasvingo kumativi ose. Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakazvimanikidzira kurusvingo uye ikatsimbirira rutsoka rwaBharamu parwuri. Saka akapamhazve kuirova. Ipapo mutumwa waJehovha akapfuurira mberi akandomira panzvimbo yakamanikana pakanga pasina mukana wokutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakavata pasi paBharamu, iye akatsamwa zvikuru akairova netsvimbo yake. Ipapo Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, “Ndaiteiko kwamuri zvaita kuti mundirove katatu kose aka?” Bharamu akapindura mbongoro akati, “Wandiita benzi iwe! Dai ndanga ndiine munondo muruoko rwangu ndingadai ndakuuraya izvozvi.” Mbongoro ikati kuna Bharamu, “Ko, handizi mbongoro yenyu, yamunogara muchitasva kusvikira zuva rino here? Ko, ndinogara ndichikuitirai zvakadai here?” Iye akati, “Kwete.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, iye akaona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wake wakavhomorwa. Saka iye akakotama akawira pasi nechiso chake. Mutumwa waJehovha akamubvunza achiti, “Warovereiko mbongoro yako rutatu rwose urwu? Ini ndauya pano kuzokudzivisa nokuti nzira yako haina kururama kwandiri. Mbongoro yandiona ikatsauka ichibva pandiri katatu aka kose. Dai isina kutsauka, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya izvozvi, asi iyo ndairaramisa.” Bharamu akati kumutumwa waJehovha, “Ndatadza. Handina kuziva kuti manga mumire munzira kuti mundidzivise. Zvino kana musingafari, ndodzokera hangu.” Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, “Chienda hako navarume ava, asi utaure zvandinokuudza zvoga.” Saka Bharamu akaenda namachinda aBharaki. Bharaki akati anzwa kuti Bharamu akanga achiuya, akabuda kuti andosangana naye paguta ravaMoabhu pamuganhu weAnoni, kumagumo kwenyika yake. Bharaki akati kuna Bharamu, “Handina kukudana nokukurumidza here? Seiko usina kuuya kwandiri? Ini handigoni kukupa mubayiro here?” Bharamu akapindura akati, “Zvakanaka, zvino ndauya kwauri. Asi ndingataura zvose zvose here? Ndinofanira kungotaura chete zvinenge zvaiswa mumuromo mangu naMwari.” Ipapo Bharamu akaenda naBharaki kuKiriati Huzoti. Bharaki akabayira mombe namakwai, akapa zvimwe kuna Bharamu namachinda akanga anaye. Fume mangwana, Bharaki akatora Bharamu akakwira naye kuBhamoti Bhaari, uye ipapo akaona chikamu chavanhu. Bharamu akati, “Ndivakirei aritari nomwe pano, mugondigadzirira hando nomwe namakondohwe manomwe.” Bharaki akaita sezvakataurwa naBharamu, uye vose vari vaviri vakabayira hando negondohwe paaritari imwe neimwe. Ipapo Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano parutivi pechipiriso chako, ini ndimbotsaukira parutivi apa. Zvichida Jehovha angauya kuzosangana neni. Zvose zvaanondiratidza, ndichazokuudza.” Ipapo akabva akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu. Mwari akasangana naye, Bharamu akati, “Ndagadzira aritari nomwe uye paaritari imwe neimwe ndabayira hando negondohwe.” Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu akati, “Dzokera kuna Bharaki utaure kwaari shoko iri.” Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda ose eMoabhu. Ipapo Bharamu akataura chirevo chake akati: “Bharaki akanditora kubva kuAramu, iye mambo weMoabhu kubva kumakomo okumabvazuva. Akati, ‘Uya unditukirewo Jakobho; uya, utsoropodze Israeri.’ Ndingatuka seiko avo vasina kutukwa naMwari? Ndingatsoropodza seiko avo vasina kutsoropodzwa naJehovha? Ndiri pamusoro pamatombo, ndinovaona, ndiri pakakwirira, ndinovaona. Ndinoona vanhu vanogara vari voga uye havazviverengi pakati pendudzi. Ndianiko angaverenga guruva raJakobho kana kuverenga chikamu chechina chaIsraeri? Regai ndife rufu rwowakarurama, uye kuguma kwangu ngakuve sokwavo!” Bharaki akati kuna Bharamu, “Waiteiko kwandiri? Ndakakutora kuti uzotuka vavengi vangu, asi hauna chinhu chawaita asi kutovaropafadza!” Iye akapindura akati, “Ko, handifaniri kuti nditaure zvaiswa mumuromo mangu naJehovha here?” Ipapo Bharaki akati kwaari, “Uya uende neni kune imwe nzvimbo yaunogona kuvaona; uchangoona chikamu chavo asi kwete vose. Uye uri ipapo ugonditukira vanhu ava.” Saka akamutora akaenda naye kumunda waZofimi pamusoro pePisiga, uye akavaka aritari nomwe ipapo akabayira hando negondohwe paaritari imwe neimwe. Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano iwe parutivi rwechipiriso chako ini ndichindosangana naye uko.” Jehovha akasangana naBharamu akaisa shoko mumuromo make akati, “Dzokera kuna Bharaki undotaura mashoko aya.” Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda eMoabhu. Bharaki akamubvunza akati, “Jehovha ati kudiniko?” Ipapo akataura chirevo chake akati: “Simuka, Bharaki, uye uteerere; ndinzwe, iwe mwanakomana waZipori. Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema, uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake. Ko, anotaura akasazviita here? Anovimbisa akasazadzisa here? Ndakagamuchira murayiro wokuti ndiropafadze; iye aropafadza, uye ini handigoni kuzvishandura. “Haana kuona chakaipa kuna Jakobho, hapana chakashata chakaonekwa muIsraeri. Jehovha Mwari wavo anavo; kudanidzira kwaMambo kuri pakati pavo. Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati. Hapana un'anga hungarwa naJakobho, hapana kuvuka kunorwa naIsraeri. Zvino zvichanzi pamusoro paJakobho, napamusoro paIsraeri, ‘Tarirai zvaitwa naMwari!’ Vanhu vanosimuka seshumba hadzi; vanozvisimudza seshumba isingazorori kusvikira yadya chayauraya uye igonwa ropa rezvayabata.” Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Usatombovatuka kana kuvaropafadza napaduku!” Asi Bharamu akapindura akati, “Handina kukuudza here kuti ndinofanira kuita zvose zvinotaurwa naJehovha?” Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Uya, ndiende newe kune imwe nzvimbo. Zvimwe Mwari achafara nazvo kuti unditukire vanhu ava ikoko.” Saka Bharaki akatora Bharamu akakwira naye pamusoro pePeori pakatarisana nerenje. Bharamu akati, “Ndivakire aritari nomwe pano, ugogadzira hando nomwe namakondohwe manomwe.” Bharaki akaita sezvakanga zvataurwa naBharamu, akabayira hando negondohwe paaritari imwe neimwe. Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje. Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake uye akataura chirevo chake achiti: “Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye ana meso anonyatsoona, chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura. “Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho, nougaro hwako, iwe Israeri! “Semipata, vakaita fararira, samapindu pedyo norwizi, segavakava rakasimwa naJehovha, semisidhari pedyo nemvura. Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo; mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda. “Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi; umambo hwavo huchasimudzirwa. “Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati. vanomedza ndudzi dzine hasha uye vanovhunavhuna mapfupa adzo; Vanovabaya nemiseve yavo. Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi, seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa? “Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe uye vose vanokutuka, ngavatukwe!” Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari, “Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka. Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.” Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti, ‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here?’ Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.” Ipapo akataura chirevo chake akati: “Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, ano ruzivo runobva kuno Wokumusorosoro, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura: “Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino; ndinomuona, asi haasi pedyo. Nyeredzi ichabuda muna Jakobho; Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri. Achapwanya huma dzavaMoabhu, madehenya avanakomana vose vaSeti. Edhomu achakundwa; Seiri, muvengi wake, achakundwa, asi Israeri achasimba. Mutongi achabuda muna Jakobho uye achaparadza vakasara veguta.” Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti, “Amareki akanga ari wokutanga pakati pendudzi, asi pakupedzisira achaparadzwa.” Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti: “Ugaro hwako hwakachengetedzeka, dendere rako rakavakwa padombo; asi imi vaKeni muchaparadzwa, Ashuri paachakutapai.” Ipapo akataura chirevo chake akati: “Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi? Zvikepe zvichauya zvichibva kumahombekombe eKitimu; zvichakunda Ashuri neEbheri, asi naizvowo zvichaparadzwa.” Ipapo Bharamu akasimuka akadzokera kunyika yake, uye Bharaki akaenda kwakewo. Panguva yakanga igere Israeri paShitimu, vanhu vakatanga kuita upombwe navakadzi vokuMoabhu, avo vakavakoka kuti vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo. Vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari ava. Saka Israeri akabatana navo naBhaari wePeori, uye kutsamwa kwaJehovha kukapfuta pamusoro pavo. Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.” Saka Mozisi akati kuvatongi veIsraeri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuraya varume ava vari pakati penyu, avo vakazvibatanidza pakunamata Bhaari wePeori.” Ipapo mumwe murume muIsraeri akauyisa kumhuri yake mukadzi womuMidhiani pamberi paMozisi chaipo, ungano yose yaIsraeri pavakanga vachichema vari pamukova weTende Rokusangana. Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake; uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri muMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma; asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina. Jehovha akati kuna Mozisi, “Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu. Naizvozvo umuudze kuti ndava kuita sungano yorugare naye. Iye nezvizvarwa zvake vachava nesungano youprista husingaperi, nokuti akanga ane shungu nokukudzwa kwaMwari wake, akayananisira vaIsraeri.” Zita romuIsraeri akaurayiwa pamwe chete nomukadzi muMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, mutungamiri weimwe mhuri yaSimeoni. Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani. Jehovha akati kuna Mozisi, “Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya, nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai panyaya yePeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.” Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista, “Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.” Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati, “Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.” Ava ndivo vaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti: Zvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri zvaiva: Hanoki, kwakabva mhuri yaHanoki; Paru, kwakabva mhuri yaParu; Hezironi, kwakabva mhuri yaHezironi; Kami, kwakabva mhuri yaKami. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaRubheni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvitatu, namazana manomwe ana makumi matatu. Mwanakomana waParu akanga ari Eriabhu, uye vanakomana vaEriabhu vakanga vari Nemueri, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu ndivo machinda eungano aya akamukira Mozisi naAroni uye vakanga vari pakati pavateveri vaKora pavakamukira Jehovha. Nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza pamwe chete naKora, chikwata ichocho pachakafa, moto pawakaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu. Uye ivo vakava chiratidzo cheyambiro. Kunyange zvakadaro, rudzi rwaKora haruna kuparara. Zvizvarwa zvaSimeoni nemhuri dzavo zvaiva: Nemueri kwakabva mhuri yavaNemueri; Jamini, kwakabva mhuri yavaJamini; Jakini, kwakabva mhuri yavaJakini; Zera, kwakabva mhuri yavaZera. Shauri kwakabva mhuri yavaShauri. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaSimeoni; pakanga pana varume zviuru makumi maviri nezviviri namazana maviri. Zvizvarwa zvaGadhi nemhuri dzavo zvaiva: Zofani, kwakabva mhuri yavaZofani; Hagi, kwakabva mhuri yavaHagi; Shumi, kwakabva mhuri yavaShumi; Ozini, kwakabva mhuri yavaOzini; Eri, kwakabva mhuri yavaEri; Arodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi; Areri kwakabva mhuri yavaAreri. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaGadhi; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana, namazana mashanu. Eri naOnani vakanga vari vanakomana vaJudha, asi vakafira muKenani. Zvizvarwa zvaJudha nemhuri dzavo zvaiva: Shera, kwakabva mhuri yavaSherani; Perezi, kwakabva mhuri yavaPerezi; Zera, kwakabva mhuri yavaZera; Zvizvarwa zvaPerezi zvaiva: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; Hamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu. Zvizvarwa zvaIsakari nemhuri dzavo zvaiva: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; Pua kwakabva mhuri yavaPua; Jashubhi kwakabva mhuri yavaJashubhi; Shimironi kwakabva mhuri yavaShimironi. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaIsakari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana matatu. Zvizvarwa zvaZebhuruni nemhuri dzavo zvaiva: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; Eroni, kwakabva mhuri yavaEroni; Jareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu, namazana mashanu. Zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo kubudikidza naManase naEfuremu zvakanga zvakadai: Zvizvarwa zvaManase: Makiri kwakabva mhuri yavaMakiri (Makiri akanga ari baba vaGireadhi); Gireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaGireadhi: Yezeri, kwakabva mhuri yaYezeri; Hereki, kwakabva mhuri yavaHereki; Asirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; Shekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu; Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi. (Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.) Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaManase; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezviviri, namazana manomwe. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEfuremu nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yaShutera; Bhekeri, kwakabva mhuri yaBhekeri; Tahani, kwakabva mhuri yaTahani. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaShutera: Erani, kwakabva mhuri yaErani. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo. Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu; Shufami, kwakabva mhuri yaShufami; Hufami, kwakabva mhuri yaHufami. Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva: Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi; Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani: Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana. Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva: Imina, kwakabva mhuri yavaImina; Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria; uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri. (Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera). Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana. Zvizvarwa zvaNafutari nemhuri dzavo zvaiva: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeeri; Guni, kwakabva mhuri yavaGuni; Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; Shiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaNafutari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana mana. Uwandu hwavanhu veIsraeri hwaisvika zviuru mazana matanhatu nechimwe, namazana manomwe ana makumi matatu. Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyika inofanira kugoverwa kwavari senhaka zvichienderana namazita akaverengwa. Kuna vaya vanenge vakawanda, unofanira kuvapa nhaka huru, vashoma unovapa nhaka duku; mhuri imwe neimwe inofanira kupiwa zvakaenzana nouwandu hwokuverengwa kwavo. Unofanira kuona kuti nyika yagoverwa nemijenya. Nhaka ichagoverwa mhuri imwe neimwe ichange iri maererano namazita orudzi rwamadzitateguru avo. Nhaka imwe neimwe inofanira kugoverwa nemijenya pakati pemhuri huru nemhuri duku.” Ava ndivo vaRevhi vakaverengwa nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni; Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari. Ava ndivo vakanga vari mhuri dzaRevhi: mhuri yavaRibhini, mhuri yavaHebhuroni, mhuri yavaMari, mhuri yavaMushi, mhuri yavaKora. (Kohati akanga ari baba vaAmurami; zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu. Aroni ndiye akanga ari baba vaNadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari. Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakaita chipiriso nomoto usina kufanira pamberi paJehovha.) Varume vose pakati pavaRevhi, vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa vaisvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavo. Ava ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari muprista pavakaverenga vaIsraeri pamapani eMoabhu paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko. Hapana kana mumwe wavo akanga ari pakati pavaya vakaverengwa naMozisi naAroni muprista, pavakaverenga vaIsraeri murenje reSinai. Nokuti Jehovha akanga audza vaIsraeri avo kuti zvirokwazvo vaizofira murenje, uye hakuna kana mumwe wavo akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni. Vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga ari wemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa. Mazita avanasikana akanga ari: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiza. Vakasvika pamukova weTende Rokusangana vakamira pamberi paMozisi, naEreazari muprista, vatungamiri, neungano yose, vakati, “Baba vedu vakafira murenje. Vakanga vasiri pakati pavateveri vaKora, avo vakabatana pamwe chete kuti vamukire Jehovha, asi vakafira chivi chavowo vakasasiya vanakomana. Ko, zita rababa vedu ragoshayikwa seiko pamhuri yavo, nemhaka yokuti vakanga vasina mwanakomana here? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.” Saka Mozisi akasvitsa nyaya yavo pamberi paJehovha Uye Jehovha akati kwaari, “Zvinorehwa navanasikana vaZerofehadhi ndezvechokwadi. Zvirokwazvo unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo ugodzorera nhaka yababa vavo kwavari. “Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake. Kana asina mwanasikana, mupe nhaka yake kumadzikoma ake kana vanun'una vake. Kana asina madzikoma kana vanun'una, mupe nhaka yake kuvanun'una kana madzikoma ababa vake. Kana baba vake vasina madzikoma kana vanun'una, mupe nhaka yake kuhama yepedyo yomumhuri yake, kuti ive yake. Uyu unofanira kuva mutemo kuvaIsraeri, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.’ ” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira pamusoro pegomo iri romuAbharimi ugoona nyika yandakapa vaIsraeri. Mushure mokunge waona, newewo uchasanganiswa navanhu vokwako, sezvakaita Aroni mukoma wako, nokuti ungano payakandimukira pamvura yomuRenje reZini, mose muri vaviri hamuna kuteerera murayiro wangu kuti mundiremekedze somutsvene pamberi pavo.” (Iyi ndiyo mvura yapaMeribha Kadheshi, muRenje reZini.) Mozisi akati kuna Jehovha, “Jehovha, Mwari wemweya yamarudzi ose avanhu, ngaagadze murume pamusoro peungano iyi kuti abude nokupinda pamberi pavo, uyo achavabudisa nokuvapinza, kuti vanhu vaJehovha varege kuva samakwai asina mufudzi.” Saka Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora Joshua mwanakomana waNuni, murume ano mweya maari, ugoisa ruoko rwako pamusoro pake. Unofanira kumumisa pamberi paEreazari muprista napamberi peungano yose ugomurayira pamberi pavo. Umupe rimwe simba rako kuti ungano yose yavaIsraeri igomuteerera. Anofanira kumira pamberi paEreazari muprista, ndiye achamubvunzira pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi. Pakurayira kwake, vanofanira kubuda iye neungano yose yavaIsraeri uye pakurayira kwake ivo vachapinda.” Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha. Akatora Joshua akamumisa pamberi paEreazari muprista napamberi peungano yose. Ipapo akaisa maoko ake pamusoro pake akamurayira, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Upe murayiro uyu kuvaIsraeri, uti kwavari, ‘Onai kuti maisa pamberi pangu panguva yakatarwa, zvokudya zvangu zvezvipiriso zvinoitwa nomoto, sezvinonhuwira zvinondifadza.’ Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose nezuva rimwe nerimwe. Ugadzire gwayana rimwe chete mangwanani uye rimwe racho panguva yamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehinib yamafuta omuorivhi akasvinwa. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene. Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. “ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefac youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa. “ ‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefad yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuwira chinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondohwe, chetatu chehinie; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehinif. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore. Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha. “ ‘Pazuva regumi romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha. Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose. Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara. Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi; uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi; uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire. Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose. Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa. Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose. “ ‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose. Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka. hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi; uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire. Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara. “ ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda. Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondohwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuwira zvinofadza pamberi paJehovha. Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefaa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondohwe, zvikamu zviviri mugumib; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumic. Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire. Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuwira zvinofadza. “ ‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa. Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuwira zvinofadza: hando imwe chete negondohwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara. Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi; uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa. “ ‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe. Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondohwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara. Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondohwe maviri, zvikamu zviviri mugumi, uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa. “ ‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondohwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara. Mugadzire nehando, namakondohwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa. “ ‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondohwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. Mugadzire pamwe chete nehando, makondohwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. “ ‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondohwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. Pamwe chete nehando, namakondohwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa. “ ‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondohwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. Pamwe chete nehando, makondohwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. “ ‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondohwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara. Pamwe chete nehando, namakondohwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. “ ‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondohwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. Pamwe chete nehando, makondohwe namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye chipiriso chokunwa. “ ‘Pazuva rorusere, unganai uye murege kuita basa ramazuva ose. Mupe chibayiro chinopiswa nomoto chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando imwe chete, gondohwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. Mugadzire hando, gondohwe namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, maererano nouwandu hwakarayirwa. Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa. “ ‘Kupamhidzira pamusoro pezvamakapika uye zvipo zvokungopa, mugadzirire Jehovha izvi pamitambo yenyu yakatarwa: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvokunwa uye nezvipiriso zvokuwadzana.’ ” Mozisi akataurira vaIsraeri zvose zvaakarayirwa naJehovha. Mozisi akati kuvakuru vamarudzi avaIsraeri, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha: Kana munhu akaita mhiko kuna Jehovha kana kuzvisunga nokupika, haafaniri kuputsa shoko rake asi anofanira kuita zvose zvaakareva. “Kana mukadzi achiri kugara mumba mababa vake akaita mhiko kuna Jehovha kana kuti akazvisunga nokupika, uye baba vake vakanzwa pamusoro pezvaapika, vakasataura chinhu kwaari, ipapo zvose zvaapika uye zvose zvaazvisunga kupika zvichasimbiswa. Asi kana baba vake vakamudzivisa pavanonzwa nezvazvo, zvaapika zvose nezvaazvisunga nazvo achipika hazvingavi nesimba; Jehovha achamusunungura nokuti baba vake vamudzivisa. “Kana akawanikwa mushure mokunge aita mhiko, kana mushure mokunge muromo wake wakurumidza kutaura achivimbisa nokuzvisunga, uye murume wake akazvinzwa asi akasataura chinhu kwaari, ipapo mhiko dzake kana zvaakazvisunga nazvo zvichasimbiswa. Asi kana murume wake amudzivisa paanenge anzwa nezvazvo, anokonesa mhiko iya inomusunga, kana vimbiso yaangazvisunga nayo, uye ipapo Jehovha achamusunungura. “Mhiko ipi zvayo kana chisungo chaitwa nechirikadzi kana mukadzi akarambwa chichava nesimba kwaari. “Kana mukadzi agere nomurume akaita mhiko kana kuti akazvisunga nemhiko uye murume wake akanzwa nezvazvo asi akasataura chinhu kwaari uye asingamudzivisi, ipapo mhiko dzake kana zvaakazvisunga pakupika zvichava nesimba. Asi kana murume wake akazvikonesa paanenge anzwa nezvazvo, ipapo hapana chaakapika kana zvaakazvisunga nazvo nemhiko nezvaakataura nomuromo wake zvichava nesimba. Murume wake azvikonesa, uye Jehovha achamusunungura. Murume wake anogona kutsigira kana kukonesa mhiko ipi zvayo yaanopika kuti azvininipise nayo. Asi kana murume wake akashaya chaanotaura kwaari zuva nezuva, ipapo ari kusimbisa mhiko dzake uye zvaakapika zvinomusunga. Anozvisimbisa nokusataura kwake chinhu kwaari paanenge anzwa nezvazvo. Kana zvakadaro, akazozvikonesa pane dzimwe nguva, mushure mokunge azvinzwa, ipapo iye achatakura mhosva yomukadzi wake.” Iyi ndiyo mitemo yakapiwa Mozisi naJehovha pamusoro poukama pakati pomurume nomukadzi wake, uye pakati pababa nomwanasikana wavo muduku agere mumba mavo. Jehovha akati kuna Mozisi, “Tsiva kuvaMidhiani zvavakaitira vaIsraeri. Shure kwaizvozvo uchandosanganiswa navanhu vako.” Saka Mozisi akati kuvanhu, “Shongedzai vamwe varume vokwenyu nhumbi dzokurwa kuti vaende kundorwa navaMidhiani kuti vazadzise kutsiva kwaJehovha pamusoro pavo. Endesai kuhondo varume chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe rwavaIsraeri.” Saka varume zviuru gumi nezviviri vakashongedzerwa kundorwa, chiuru chimwe kubva kurudzi rumwe norumwe, vakauyiswa vachibva kumhuri dzavaIsraeri. Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe, pamwe chete naFinehasi mwanakomana waEreazari muprista, uyo akatorawo nhumbi dzomunzvimbo tsvene nehwamanda dzokuridza pakutungamirira. Vakarwisa vaMidhiani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose. Vakaurayiwa pakati pavo ndiEvhi, Rekemu, Zuri, Huri naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani. Vakaurayawo nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori. VaIsraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo uye vakatora mombe dzose dzavaMidhiani, makwai nepfuma sezvinhu zvavakapamba. Vakapisa maguta ose avaMidhiani, pamwe chete nemisasa yavo yose. Vakatora zvose zvavakapamba, nepfuma, pamwe chete navanhu uye nezvipfuwo, vakauya nenhapwa, nepfuma uye nezvavakapamba kuna Mozisi naEreazari muprista, uye vaIsraeri vakaungana pamisasa yavo pamapani eMoabhu, paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko. Mozisi, Ereazari navatungamiri vose veungano vakabuda kuti vandosangana navo kunze kwomusasa. Mozisi akatsamwira machinda ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, vakadzoka kuhondo. Akavabvunza akati, “Ko, makatendera vakadzi vose kuti vararame here? Ndivo vakanga vachitevera zano raBharamu uye ndivo vakatsausa vaIsraeri kubva kuna Jehovha pane zvakaitika paPeori, naizvozvo denda rikauya pamusoro pavanhu vaJehovha. Zvino chiurayai vakomana vose. Uye muuraye mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume, asi muzvisiyire musikana mumwe nomumwe asina kuvata nomurume. “Imi mose makauraya ani zvake kana kubata ani zvake akaurayiwa, munofanira kugara kunze kwomusasa kwamazuva manomwe. Pazuva rechitanhatu nezuva rechinomwe, munofanira kuzvinatsa imi nenhapwa dzenyu. Munatse nguo imwe neimwe pamwe chete nezvose zvakaitwa namatehwe, mvere dzembudzi kana makushe ehwai.” Ipapo Ereazari muprista akati kuvarwi vakanga vaenda kuhondo, “Hezvino zvinodikanwa pamurayiro wakapiwa Mozisi naJehovha: goridhe, sirivha, ndarira, simbi, tini, mutobvu nezvimwewo zvisingaparadzwi nomoto; zvinofanira kuiswa mumoto, ipapo zvichava zvakanaka. Asi zvinofanirawo kucheneswa nemvura yokunatsa. Uye zvose zvisingagoni kukunda moto zvinofanira kupinzwa nomumvura imomo. Pazuva rechinomwe musuke nguo dzenyu, ipapo muchava vakachena. Ipapo mungazochipinda henyu mumusasa.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Iwe naEreazari muprista navakuru vemhuri veungano munofanira kuverenga vanhu vose nezvipfuwo zvakapambwa. Mugovere zvakapambwa pakati pavarwi vakaenda kuhondo uye navakasara muungano. Kubva kuvarwi vakanga vandorwa kuhondo, utsaure somutero waJehovha chinhu chimwe chete pazvinhu mazana mashanu, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai kana mbudzi. Utore mutero uyu kubva pahafu yavo yomugove wavo ugopa kuna Ereazari muprista somugove waJehovha. Kubva kuhafu inova yavaIsraeri, utsaure chinhu chimwe chete kubva pamakumi mashanu oga oga, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai, mbudzi kana zvimwe zvipfuwo. Uzvipe kuvaRevhi, ivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.” Saka Mozisi naEreazari muprista vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Zvakatapwa zvakasara pane zvavakapamba zvakanga zvatorwa navarwi zvaisvika zviuru mazana matanhatu namakumi manomwe nezvishanu zvamakwai, mombe zviuru makumi manomwe nezviviri, mbongoro zviuru makumi matanhatu nechiuru chimwe chete uye vakadzi zviuru makumi matatu nezviviri vakanga vasina kumbovata navarume. Hafu yomugove wavaya vakarwa muhondo yaiva: makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu nezvinomwe, namazana mashanu, mutero waJehovha paari wakanga uri makwai mazana matanhatu namakwai manomwe namashanu; mombe, dzaisvika zviuru makumi matatu nezvitanhatu, mutero waJehovha padziri waiva mombe makumi manomwe nembiri; mbongoro, dzaiva zviuru makumi matatu namazana mashanu, mutero waJehovha padziri wakanga uri mbongoro makumi matanhatu neimwe chete; vanhu vaisvika zviuru gumi nezvitanhatu, mutero waJehovha pavari waiva vanhu makumi matatu navaviri. Mozisi akapa mutero kuna Ereazari muprista somugove waJehovha, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Hafu yakanga iri yavaIsraeri, yakatsaurwa naMozisi kubva kuvarume vehondo, hafu yeungano, yaiva makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu namanomwe, namazana mashanu, mombe zviuru makumi matatu, nezvitanhatu, mbongoro dzaiva zviuru makumi matatu, namazana mashanu uye vanhu vaiva zviuru gumi nezvitanhatu. Kubva pahafu yaiva yavaIsraeri, Mozisi akatsaura munhu mumwe chete kubva pavanhu makumi mashanu, chipfuwo chimwe chete kubva pazvipfuwo makumi mashanu, sezvakarayirwa naJehovha, akazvipa kuvaRevhi, vakanga vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha. Ipapo machinda akanga ari vatariri vamapoka ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana vakaenda kuna Mozisi vakati kwaari, “Varanda venyu vaverenga varwi vari pasi pedu, hapana kana mumwe chete asipo. Saka tauya nechipo kuna Jehovha chezvishongo zvegoridhe zvakawanikwa nomumwe nomumwe wedu, zvishongo zvegoridhe, mhete dzomumaoko, mhete dzomunzeve nouketani hwomumutsipa kuti tizviyananisire pamberi paJehovha.” Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira kubva kwavari goridhe, zvinhu zvose zvakanga zvakaitwa noumhizha. Goridhe rose rakabva kuvatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana rakapiwa kuna Jehovha naMozisi naEreazari muprista rairema mashekeri zviuru gumi nezvitanhatu, namazana manomwe namakumi mashanua. Murwi mumwe nomumwe akanga azvitorera zvake zvakapambwa. Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira goridhe rakabva kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana vakariisa muTende Rokusangana kuti chive chirangaridzo chavaIsraeri pamberi paJehovha. VaRubheni navaGadhi, vakanga vane mombe zhinji uye namakwai akawanda kwazvo, vakaona nyika yaJazeri neGireadhi kuti yakanga yanakira zvipfuwo. Saka vakauya kuna Mozisi naEreazari muprista nokuvatungamiri veungano, vakati, “Ataroti, Dhibhoni, Jazeri, Nimira, Heshibhoni, Ereare, Sebhami, Nebho neBheoni, nyika yakakundwa naJehovha pamberi pavanhu vaIsraeri, yakanakira zvipfuwo, uye varanda venyu vane zvipfuwo.” Vakati, “Kana tawana nyasha pamberi penyu, nyika iyi ngaipiwe kuvaranda venyu ive yedu. Musatiyambutsa Jorodhani.” Mozisi akati kuvaGadhi nokuvaRubheni, “Ko, vanhu venyika yokwenyu vangaenda kuhondo imi makagara henyu pano? Ko, munoodzerei mwoyo wavaIsraeri kuti vasayambuka vachienda kunyika yavakapiwa naJehovha? Izvi ndizvo zvakaitwa namadzibaba enyu pandakavatuma kubva paKadheshi Bharinea kuti vandosora nyika. Shure kwokukwira kwavo kuMupata weEshikori vakandoona nyika, vakaodza mwoyo yavaIsraeri kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha. Kutsamwa kwaJehovha kwakamutswa nomusi uyo uye akapika mhiko iyi: ‘Nokuda kwokuti havana kunditevera nomwoyo wose, hakuna mumwe wavo ane makore makumi maviri kana anodarika akabuda munyika yeIjipiti achaona nyika yandakanga ndavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho, hakuna mumwe wavo kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi naJoshua mwanakomana waNuni nokuti vakatevera Jehovha nomwoyo wose.’ Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavaIsraeri akavaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira zera rose ravaya vakaita zvakaipa pamberi pake rapera. “Hezvino muri pano, imi chibereko chavatadzi, mumire panzvimbo yamadzibaba enyu muchiwedzera kutsamwa kwaJehovha kukuru pamusoro pavaIsraeri. Kana mukatsauka pakumutevera, achasiyazve vanhu ava vose murenje, uye imi ndimi muchauyisa kuparadzwa kwavo.” Ipapo vakakwira kwaari vakati, “Tinoda kuvaka matanga ezvipfuwo zvedu kuno namaguta avakadzi vedu navana. Asi takagadzirira kurwa nokuenda mberi navaIsraeri kusvikira tavasvitsa kunzvimbo yavo. Pari zvino vakadzi vedu navana vedu vachagara mumaguta akakomberedzwa, kuti vadzivirirwe pavagari venyika ino. Hatizodzokeri kumisha yedu kusvikira vaIsraeri vose vagamuchira nhaka yavo. Hatizogamuchiri nhaka ipi zvayo pamwe chete navo mhiri kweJorodhani, nokuti nhaka yedu tava nayo kumabvazuva kwaJorodhani.” Ipapo Mozisi akati kwavari, “Kana mukaita izvi, kana mukazvishongedza nhumbi dzokurwa pamberi paJehovha kuti mundorwa, uye kana imi mose mukaenda makashonga nhumbi dzokurwa mhiri kwaJorodhani pamberi paJehovha kusvikira adzinga vavengi vake pamberi pake, ipapo kana nyika ichinge yakundwa pamberi paJehovha, mungadzokera henyu uye musununguke pabasa renyu pamberi paJehovha napamberi pavaIsraeri. Uye nyika iyi ichava yenyu pamberi paJehovha. “Asi kana mukakoniwa kuita izvi, muchange matadzira Jehovha; uye zvirokwazvo chivi chenyu chichakuwanai. Vakai maguta avakadzi navana venyu, uye matanga amakwai enyu, asi muite zvamakavimbisa.” VaGadhi navaRubheni vakati kuna Mozisi, “Isu varanda venyu tichaita sezvarayirwa naishe wedu. Vana vedu navakadzi vedu, makwai edu nemombe dzedu zvichasara kuno mumaguta eGireadhi. Asi varanda venyu, varume vose vakazvigadzirira kundorwa, vachayambuka kundorwa pamberi paJehovha sezvataurwa naishe wedu.” Ipapo Mozisi akarayira pamusoro pavo kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni nokuvakuru vemhuri dzamarudzi avaIsraeri. Akati kwavari, “Kana vaGadhi navaRubheni, murume mumwe nomumwe akazvigadzirira kundorwa, vakayambuka Jorodhani nemi pamberi paJehovha, ipapo kana nyika ikakundwa pamberi pako, uvape nyika yeGireadhi ive yavo. Asi kana vakasayambuka nemi vakashonga zvokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pamwe chete nemi muKenani.” VaGadhi navaRubheni vakapindura vakati, “Varanda venyu vachaita zvarehwa naJehovha. Tichayambuka mhiri pamberi paJehovha tigopinda muKenani, takashonga nhumbi dzokurwa nadzo, asi nhaka yatichawana ichava kudivi rino reJorodhani.” Ipapo Mozisi akapa kuvaGadhi, navaRubheni nerudzi rwehafu rwaManase, mwanakomana waJosefa, umambo hwaSihoni mambo wavaAmori noumambo hwaOgi mambo weBhashani, nyika yose namaguta ayo uye nenyika dzose dzakavapoteredza. VaGadhi vakavaka Dhibhoni, Ataroti, Aroeri, Ataroti Shafani, Jazeri, Jogubheha, Bheti Nimura neBheti Harani samaguta akakomberedzwa, uye vakavaka matanga amakwai avo. Uye vaRubheni vakavakazve Heshibhoni, Ereare Kiriatihaimi, pamwe chete neNebho neBhaari Meoni (mazita aya akashandurwa) neSibhima. Vakapa mazita kumaguta avakavaka. Zvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase vakaenda kuGireadhi, vakaritapa vakadzinga vaAmori vakanga varimo. Saka Mozisi akapa Gireadhi kuvaMakiri, zvizvarwa zvaManase, ivo vakagara ikoko. Jairi, chizvarwa chaManase, akakunda misha yaro akaitumidza kuti Havhoti Jairi. Uye Nobha akakunda Kenati nenzvimbo dzakaripoteredza akaritumidza kuti Nobha zita rake. Hezvino zvinhanho zvorwendo rwavaIsraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni. Mozisi akanyora zvinhanho zvorwendo rwavo. Urwu ndirwo rwendo rwavo nezvinhanho zvarwo: VaIsraeri vakasimuka kubva paRamesesi nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga, zuva rakatevera Pasika. Vakafamba vakabuda vasingatyi pamberi pavaIjipita vose, avo vakanga vachiviga matangwe avo ose, akanga aurayiwa naJehovha pakati pavo; nokuti Jehovha akanga atonga vamwari vavo. VaIsraeri vakabva paRamesesi vakandodzika misasa yavo paSukoti. Vakabva paSukoti vakandodzika misasa yavo paEtamu, mujinga megwenga. Vakabva paEtamu, vakadzokera shure kuPi Hahiroti, nechokumabvazuva kweBhaari Zefoni, vakandodzika misasa yavo pedyo neMigidhori. Vakabva paPi Hahiroti vakapinda nomugungwa vakaenda murenje, uye vakati vafamba mazuva matatu murenje reEtamu, vakadzika misasa paMara. Vakabva paMara vakaenda kuErimu, pakanga pane matsime gumi namaviri nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo. Vakabva paErimu vakandodzika misasa paGungwa Dzvuku. Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika misasa muGwenga reSini. Vakabva muGwenga reSini vakandodzika misasa paDhofika. Vakabva paDhofika vakandodzika misasa paArushi. Vakabva paArushi vakandodzika misasa paRefidhimu, apo pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. Vakabva paRefidhimu vakandodzika misasa muGwenga reSinai. Vakabva muGwenga reSinai vakandodzika misasa paKibhuroti Hatava. Vakabva paKibhuroti Hatava vakandodzika misasa paHazeroti. Vakabva paHazeroti vakandodzika misasa paRitima. Vakabva paRitima vakandodzika misasa paRimoni Perezi. Vakabva paRimoni Perezi vakandodzika misasa paRibhina. Vakabva paRibhina vakandodzika misasa paRisa. Vakabva paRisa vakandodzika misasa paKeherata. Vakabva paKeherata vakandodzika misasa paGomo reSheferi. Vakabva paGomo reSheferi vakandodzika misasa paHaradha. Vakabva paHaradha vakandodzika misasa paMakeroti. Vakabva paMakeroti vakandodzika misasa paTahati. Vakabva paTahati vakandodzika misasa paTera. Vakabva paTera vakandodzika misasa paMitika. Vakabva paMitika vakandodzika misasa paHashimona. Vakabva paHashimona vakandodzika misasa paMoseroti. Vakabva paMoseroti vakandodzika misasa paBhene Jaakani. Vakabva paBhene Jaakani vakandodzika misasa paHori Hagidhigadhi. Vakabva paHori Hagidhigadhi vakandodzika misasa paJotibhata. Vakabva paJotibhata vakandodzika misasa paAbhurona. Vakabva paAbhurona vakandodzika misasa paEzioni Gebheri. Vakabva paEzioni Gebheri vakandodzika misasa paKadheshi, murenje reZini. Vakabva paKadheshi vakandodzika misasa paGomo reHori, kumuganhu weEdhomu. Aroni muprista akakwira muGomo reHori sezvakarayirwa naJehovha, akandofira imomo pazuva rokutanga romwedzi wechishanu wegore ramakumi mana shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti. Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake paGomo reHori. Mambo weAradhi muKenani, aigara kuNegevhi kweKenani, akanzwa kuti vaIsraeri vari kuuya. Vakabva kuGomo reHori vakandodzika misasa paZarimona. Vakabva paZarimona vakandodzika misasa paPunoni. Vakabva paPunoni vakandodzika misasa paObhiti. Vakabva paObhiti vakandodzika misasa paIye Abharimi, pamuganhu weMoabhu. Vakabva paIyimi vakandodzika misasa paDhibhoni Gadhi. Vakabva paDhibhoni Gadhi vakandodzika misasa paArimoni Dhibhurataimi. Vakabva paArimoni Dhibhurataimi vakandodzika misasa mumakomo eAbharimi, pedyo neNebho. Vakabva pamakomo eAbharimi vakandodzika misasa pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko. Pamapani eMoabhu ipapo vakadzika misasa vakatevedza Jorodhani kubva kuBheti Jeshimoti kusvikira kuAbheri Shitimu. Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani, mudzinge vose vanogara munyika imomo pamberi penyu. Muparadze zvifananidzo zvavo zvose zvakavezwa nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa, uye muputse nzvimbo dzose dzakakwirira. Mutore nyika iyo mugaremo, nokuti ndakupai nyika iyi kuti ive yenyu. Mugovere nyika nomujenya, maererano nemhuri dzenyu. Mupe vakawanda nhaka huru, uye vashoma muvapewo nhaka duku. Zvose zvichawira kwavari nomujenya zvinofanira kuva zvavo. Muigove zviri maererano namarudzi amadzitateguru enyu. “ ‘Asi kana mukasadzinga vagere munyika iyi, vamunotendera kusara ivavo vachava rukato pamberi penyu neminzwa pamativi enyu. Vachakutambudzai munyika mamugere. Ipapo ndichakuitirai imi zvandakaronga kuvaitira ivo.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Rayira vaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda muKenani, nyika ichagoverwa kwamuri senhaka, ichava nemiganhu iyi: “ ‘Rutivi rwenyu rwezasi ruchasanganisira chikamu cheGwenga reZini chinotevedzana nomuganhu weEdhomu. Muganhu wenyu wezasi, uchatangira kumagumo eGungwa roMunyu nechokumabvazuva, uchiyambukira zasi kweAkirabhimu, uchipfuurira nokuZini uye uchienda nezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo uchazoenda nokuHazari Adhari uchindosvika kuAzimoni, kwaunondopota, wobatana noRukova rweIjipiti uchindogumira paGungwa. “ ‘Muganhu wenyu wokumavirira uchange uri mahombekombe eGungwa Guru. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumavirira. “ ‘Pamuganhu wenyu wokumusoro, munofanira kutara mutaro unobva kuGungwa Guru uchisvika kuGomo reHori uye kubva paGomo reHori uchisvika kuRebho Hamati. Ipapo muganhu uchaenda kuZedhadhi, wopfuurira kuZifurani uchindogumira paHazari Enani. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumusoro. “ ‘Pamuganhu wenyu wokumabvazuva, munofanira kutara mutaro unobva kuHazari Enani uchisvika kuShefani. Muganhu uchadzika uchibva nokuShefani uchisvika kuRibhura nechokumabvazuva kweZini ugopfuurira wakatevedza materu ari kumabvazuva kweGungwa reKinereti. Ipapo muganhu uchadzika uchitevedza Jorodhani uchindoguma paGungwa roMunyu. “ ‘Iyi ndiyo ichava nyika yenyu, nemiganhu yayo kumativi ose.’ ” Mozisi akarayira vaIsraeri akati, “Goverai nyika iyi nomujenya wenhaka yenyu. Jehovha akarayira kuti ipiwe kumarudzi mapfumbamwe nehafu, nokuti mhuri dzorudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi uye rwehafu rwaManase vakagamuchira nhaka yavo. Marudzi maviri aya nehafu vakagamuchira nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani reJeriko, kwakatarisana nokumabudazuva.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika senhaka yenyu: Ereazari muprista naJoshua mwanakomana waNuni. Uye ugadze mutungamiri mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe kuti vabatsire pakugova nyika. Aya ndiwo mazita avo: Karebhu mwanakomana waJefune, kubva kurudzi rwaJudha; Kubva kurudzi rwaSimeoni, Shemueri mwanakomana waAmihudhi; Kubva kurudzi rwaBhenjamini, Eridhadhi mwanakomana waKisironi; Kubva kurudzi rwaDhani mutungamiri Bhuki mwanakomana waJogiri; Mutungamiri kubva kurudzi rwaManase mwanakomana waJosefa, Hanieri mwanakomana waEfodhi; Mutungamiri kubva kurudzi rwaEfuremu mwanakomana waJosefa, Kemueri mwanakomana waShifutani; Mutungamiri kubva kurudzi rwaZebhuruni, Erizafani mwanakomana waParanaki; Mutungamiri kubva kurudzi rwaIsakari, Paritieri mwanakomana waAzani; Mutungamiri kubva kurudzi rwaAsheri, Ahihudhi mwanakomana waSheromi; Mutungamiri kubva kurudzi rwaNafutari, Pedhaheri mwanakomana waAmihudhi.” Ava ndivo varume vakarayirwa naJehovha kuti vagovere nhaka kuvaIsraeri munyika yeKenani. Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva mhiri kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi, “Rayira vaIsraeri kuti vape vaRevhi maguta okuti vagare kubva panhaka ichatorwa navaIsraeri. Uye muvape mafuro akapoteredza maguta avo. Ipapo vachava namaguta okugara uye namafuro emombe dzavo, makwai nezvimwe zvipfuwo zvavo zvose. “Mafuro akapoteredza maguta amunopa vaRevhi achasvitsa makubhiti chiuru chimwe chetea kubva pamasvingo eguta. Uyere makubhiti zviuru zvivirib nechokunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva, kurutivi rwezasi uyere makubhiti zviuru zviviri, uye kurutivi rwokumavirira makubhiti zviuru zviviri, uye nechokumusoro, makubhiti zviuru zviviri, guta riri pakati. Nzvimbo iyi ichava mafuro amaguta. “Maguta matanhatu pane auchapa vaRevhi achava outiziro, kuti munhu anenge auraya mumwe atizireko. Pamusoro paiwayo, muvape mamwe maguta makumi mana namaviri. Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva makumi mana namasere, pamwe chete namafuro avo. Maguta amunopa vaRevhi kubva munyika inotorwa navaIsraeri anofanira kupiwa zvakaenzanirana nenhaka yorudzi rumwe norumwe: Utore maguta akawanda kubva kurudzi rune akawanda, asi utore mashoma kubva kurudzi rune mashoma.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani, musarudze mamwe maguta kuti ave outiziro, okuti munhu anenge auraya mumwe asingaiti nobwoni atizireko. Achava nzvimbo dzoutiziro kubva kumutsivi, kuitira kuti munhu anopomerwa mhosva yokuuraya arege kufa asati atongwa pamberi peungano. Maguta matanhatu amunopa aya achava maguta enyu outiziro. Mupe maguta matatu mhiri kwaJorodhani uye mamwe matatu muKenani kuti ave maguta outiziro. Maguta matanhatu aya achava nzvimbo youtiziro yavaIsraeri, vatorwa kana vamwe vanhu vagere pakati pavo, kuitira kuti ani naani anenge auraya mumwe asingaiti nobwoni atizireko. “ ‘Kana munhu akarova mumwe nesimbi akafa, iye imhondi; mhondi ichafanira kuurayiwa. Uye kana ani naani aine dombo muruoko rwake rinogona kuuraya, akarova mumwe munhu naro akafa, iye imhondi; mhondi inofanira kuurayiwa. Uye kana ani naani akange ane danda muruoko rwake rinogona kuuraya, uye akarova mumwe munhu akafa, iye imhondi; mhondi ichaurayiwa. Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo; paanosangana naye, achamuuraya. Kana ani zvake anga ane ruvengo kare akasundidzira mumwe kana kupotsera chimwe chinhu kwaari nobwoni iye akafa, uye kana akamurova nechibhakera achimuvenga munhu uyo akafa, munhu iyeye anofanira kuurayiwa; munhu iyeye imhondi. Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo paanosangana naye. “ ‘Asi kana panga pasina ruvengo mumwe akakaruka asundidzira mumwe kana kupotsera chimwe chinhu kwaari asingaiti nobwoni, kana anga asingamuoni, akapotsera dombo kwaari rinogona kumuuraya, uye iye akafa, ipapo sezvo anga asiri muvengi wake uye anga asingafungi kumukuvadza, ungano inofanira kutonga pakati pake nomutsivi weropa maererano nemitemo iyi. Ungano inofanira kudzivirira munhu anopomerwa umhondi kubva pamutsivi weropa uye vachamudzosera kuguta routiziro uko kwaakanga atizira. Anofanira kugara ikoko kusvikira muprista mukuru afa, uyo akanga akazodzwa namafuta matsvene. “ ‘Asi kana uyo anopomerwa akangobuda kunze akadarika muganhu weguta routiziro, uko kwaakatizira, uye mutsivi weropa akamuwana ari kunze kweguta, mutsivi weropa achauraya muurayi uyu akasapiwa mhosva youmhondi. Muurayi anofanira kugara muguta rake routiziro kusvikira pakufa kwomuprista mukuru; anofanira kudzokera chete kunzvimbo yake kana muprista mukuru afa. “ ‘Izvi zvinofanira kuva murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose anotevera, kwose kwamunogara. “ ‘Ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa semhondi kana chete pane zvapupu. Asi hapafaniri kuva nomunhu anourayiwa kana pachingova nechapupu chimwe chete. “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro youpenyu hwemhondi, inofanira kufa. Iye anofanira kufa zvirokwazvo. “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro yomunhu upi zvake akatiza kuguta routiziro nokudaro muchimutendera kudzokera kuti akandogarazve munyika yake muprista mukuru asati afa. “ ‘Murege kusvibisa nyika yamunogara. Kuteura ropa kunosvibisa nyika, uye nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi chete neropa romunhu akariteura. Musasvibisa nyika yamugere uye yandinogara, nokuti ini Jehovha, ndigere pakati pavaIsraeri.’ ” Vakuru vemhuri yeimba yaGireadhi mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, vaibva kudzimba dzezvizvarwa zvaJosefa, vakauya vakataura pamberi paMozisi navatungamiri, ivo vakuru vemhuri dzavaIsraeri. Vakati, “Jehovha paakarayira ishe wangu kuti ape nyika kuvaIsraeri nomujenya ive nhaka yavo, akakurayirai kuti mupe nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake. Zvino ivo kana vakawanikwa navarume vanobva kuna mamwe marudzi aIsraeri, ipapo nhaka yavo ichabviswa panhaka yamadzitateguru edu ikawedzerwa kurudzi urwo rwavawanikwa narwo. Nokudaro chikamu chenhaka yakagoverwa kwatiri nemijenya chichabviswa. Gore reJubhiri ravaIsraeri parinosvika, nhaka yavo ichawedzerwa kunhaka yorudzi urwo rwavakawanikwa kwarwuri, uye pfuma yavo ichatorwa kubva kunhaka yorudzi rwamadzibaba edu.” Ipapo Mozisi akarayira murayiro uyu kuvaIsraeri sezvaakarayirwa naJehovha achiti, “Zvinotaurwa norudzi rwezvizvarwa zvaJosefa ndizvo. Uku ndiko kurayira kwaJehovha kuvanasikana vaZerofehadhi: Vangawanikwa havo naani zvake anovafadza kana chete ari worudzi rweimba yamadzibaba avo. Hakuna nhaka muvaIsraeri inofanira kubva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe rudzi, nokuti muIsraeri wose anofanira kuchengeta nyika yorudzi rwake iri nhaka inobva kumadzibaba avo. Mwanasikana mumwe nomumwe anogara nhaka yenyika murudzi rupi zvarwo rwavaIsraeri anofanira kuwanikwa nomunhu anobva muimba yorudzi rwababa vake, kuitira kuti muIsraeri wose awane nhaka yamadzibaba ake. Hakuna nhaka inobva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe rudzi, nokuti rudzi rwose rwavaIsraeri runofanira kuchengeta nyika yavakapiwa senhaka.” Saka vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. Vanasikana vaZerofehadhi, Mara, Tiza, Hogira, Mirika naNoa vakawanikwa navanakomana vababamunini vavo. Vakawanikwa mukati medzimba dzezvizvarwa zvaManase mwanakomana waJosefa, uye nhaka yavo yakaramba iri mumba yorudzi rwababa vavo. Iyi ndiyo mirayiro nemitemo yakapiwa kuvaIsraeri naJehovha kubudikidza naMozisi pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva mhiri kuJeriko. Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vose murenje kumabvazuva kweJorodhani, mumupata weArabha wakatarisana neSufi, pakati peParani neToferi, Rabhani, Hazeroti neDhizahabhi. (Zvinotora mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhu kuenda kuKadheshi Bharinea nenzira yokuGomo reSeiri.) Mugore ramakumi mana, nezuva rokutanga romwedzi wegumi nomumwe, Mozisi akazivisa vaIsraeri zvose izvo Jehovha akamurayira pamusoro pavo. Izvi zvakaitika mushure mokunge akunda Sihoni mambo wavaAmori, akanga achitonga paHeshibhoni, uye paEdhirei akanga akunda Ogi mambo weBhashani, akanga achitonga muAshitaroti. Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu, vari nechokumabvazuva kweJorodhani munzvimbo yeMoabhu, achiti: Jehovha Mwari wedu akataura kwatiri paHorebhu akati, “Magara nguva yakakwana pagomo rino. Putsai musasa mugoenda kunyika yezvikomo yavaAmori; muende kumarudzi ose akavakidzana muArabha, mumakomo, nemuzasi mezvikomo zvokumadokero, nomuNegevhi uye kumahombekombe egungwa, nokunyika yavaKenani uye nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, irwo Yufuratesi. Tarirai, ndakupai nyika iyi. Endaimo mundotora nyika iyo Jehovha akapika kuti achaipa kumadzibaba enyu, kuna Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, uye nokuzvizvarwa zvavo zvaizovatevera.” Panguva iyoyo ndakati kwamuri, “Mava mutoro unorema kwazvo kuti ndikutakurei ndiri ndoga. Jehovha Mwari wenyu akawedzera kuwanda kwenyu zvokuti nhasi mawanda senyeredzi dzokudenga. Jehovha Mwari wamadzibaba enyu, ngaakuwedzerei rune chiuru uye ngaakuropafadzei sezvaakavimbisa! Asi ini ndingatakure seiko matambudziko enyu nemitoro yenyu uye nokupokana kwenyu ndiri ndoga? Zvisarudzirei varume vakachenjera, vanonzwisisa uye vanokudzwa kubva kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi enyu, ndingovagadza pamusoro penyu.” Makandipindura muchiti, “Izvo zvamaronga kuti zviitwe zvakanaka.” Ipapo ndakatora varume vaitungamirira marudzi enyu, varume vakachenjera uye vaikudzwa, ndikavagadza kuti vave vakuru pamusoro penyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi uye navatariri vamarudzi. Zvino panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndikati: Inzwai kupokana kuri pakati pehama dzenyu mugovatonga zvakanaka, ingava mhaka iri pakati pavaIsraeri voga kana pakati pomumwe wavo nomutorwa. Musaita rusarura pakutonga; inzwai vose muduku kana mukuru zvakaenzanirana. Musatya munhu upi zvake, nokuti kutonga ndokwaMwari. Uyisai kwandiri mhaka yakanyanya kukuomerai, ndigoinzwa. Uye panguva iyoyo ndakakurayirai zvose zvamaifanira kuita. Ipapo takasimuka kubva paHorebhu tikafamba takananga kunyika yamakomo yavaAmori tikapfuura nomurenje iro rose guru rinotyisa ramakaona, uye tikasvika paKadheshi Bharinea, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu. Ipapo ndakati kwamuri, “Masvika munyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu. Tarirai, Jehovha Mwari wenyu akupai nyika iyo. Kwirai munoitora, sezvamakaudzwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Musatya; musaora mwoyo.” Ipapo imi mose makauya kwandiri mukati, “Ngatitumei varume vanofanotungamira kuti vatishorere nyika vagodzoka kuzotiudza pamusoro penzira yatingafamba nayo uye namaguta atichandosvika kwaari.” Pfungwa iyoyo yakange yakandinakira; nokudaro ndakasarudza varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe. Ivo vakabva vakaenda munyika yamakomo, vakasvika kumupata weEshikori vakaishora. Vakatora mimwe yemichero yenyika iyoyo, vakauya nayo kwatiri, vakati, “Inyika yakanaka yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu.” Asi makanga musingadi kuenda; mukamukira kurayira kwaJehovha Mwari wenyu. Makanyunyuta muri mumatende enyu, mukati, “Jehovha anotivenga; naizvozvo akatibudisa muIjipiti kuti azotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze. Tichaendepiko? Hama dzedu dzatiita kuti tiore mwoyo. Dzinoti, ‘Vanhu vacho vanotikunda pasimba napakureba; maguta acho makuru uye ane masvingo akareba zvokusvika kudenga. Takaona kunyange navaAnaki ikoko.’ ” Ipapo ini ndakati kwamuri, “Musavhunduka; musavatya. Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo, uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.” Kunyange zvakadaro, hamuna kuvimba naJehovha Mwari wenyu, iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, uye mugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo. Jehovha paakanzwa zvamakataura, akatsamwa akapika, achiti, “Hakungavi nomunhu mumwe worudzi urwu achaona nyika yakanaka yandakapika ndichiti ndichaipa kumadzibaba enyu, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune achaiona, uye ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika netsoka dzake nokuti akateerera Jehovha nomwoyo wose.” Nokuda kwenyu Jehovha akanditsamwira neniwo, akati, “Newewo hauchazoipindi. Asi mutevedzeri wako, Joshua, mwanakomana waNuni, ndiye achapindamo. Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora. Asi kana murimi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.” Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwira kunyika yamakomo. Asi Jehovha akataura kwandiri, akati, “Vaudze kuti, ‘Musakwira kundorwa, nokuti handiendi nemi. Muchakundwa navavengi venyu.’ ” Naizvozvo ndakakutaurirai, asi imi hamuna kuda kuteerera. Makamukira murayiro waJehovha uye mukuzvikudza kwenyu makafamba mukapinda munyika yamakomo. VaAmori vakanga vagere mumakomo iwayo vakauya kuzokurwisai; vakakudzinganisai sezvinoita nyuchi uye vakakurovai kubva paSeiri kusvikira paHoma. Makadzoka mukachema pamberi paJehovha, asi iye haana kuteerera kuchema kwenyu uye haana kurerekera nzeve yake kwamuri. Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yose yamakagarapo. Zvino takadzoka tikafamba takananga kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha. Kwenguva yakareba takafamba nenzira yaipoterera nenyika yamakomo yeSeiri. Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Mafamba nenzira yokupoterera nyika iyi yamakomo kwenguva yakakwana, zvino chidzokai muende nechokumusoro. Rayira vanhu uti, ‘Mava pedyo kuti mupfuure nomunyika yehama dzenyu vana vaEsau, vagere paSeiri. Ivo vachakutyai, asi muchenjere kwazvo. Musavatanga kuti murwe, handingakupei chikamu chipi zvacho chenyika yavo, kunyange pangakwana kuisa rutsoka rwenyu. Ndakapa Esau nyika yamakomo yeSeiri kuti ive yake. Munofanira kuvaripa nesirivha zvokudya zvamuchadya nemvura yamuchanwa.’ ” Jehovha Mwari wenyu akakuropafadzai pamabasa ose amaoko enyu. Iye akakutarirai parwendo rwenyu murenje iri guru. Jehovha Mwari wenyu akava nemi, makore makumi mana aya, uye hapana chinhu chamakashayiwa. Naizvozvo takapfuura hama dzedu vana vaEsau, vanogara muSeiri. Takasiya nzira inoenda kuArabha, yeArabha, inobva kuErati neEzioni Gebheri, ndokufamba nenzira yomurenje reMoabhu. Ipapo Jehovha akataura kwandiri, akati, “Musafurusa vaMoabhu kana kuvadenha, nokuti handizokupai chikamu chipi zvacho chenyika yavo. Ndakapa Ari kuvana vaRoti kuti ive yavo.” (VaEmi vaisigarako vaiva vanhu vakasimba, vakawanda uye vakareba savaAnaki. SavaAnaki ivowo vaionekwa savaRefaimu, asi vaMoabhu vaivadana nezita rokuti vaEmi. VaHori vaimbogarawo muSeiri, asi vana vaEsau vakavadzinga kubva imomo. Vakaparadza vaHori vakanga varimo ivo vasati vavamo vakagara munzvimbo yavo, sezvakangoitawo Israeri munyika yavakapiwa naJehovha kuti ive yavo). Uye Jehovha akati, “Zvino chisimukai muyambuke Mupata weZeredhi.” Saka akayambuka mupata. Makore makumi matatu namasere akanga apfuura kubva panguva yatakabva paKadheshi Bharinea kusvikira patakazoyambuka Mupata weZeredhi. Panguva iyoyi rudzi rwose rwavarume vezera rokurwa rwakanga rwaparara kubva pamisasa, sezvakanga zvapikirwa naJehovha kwavari. Ruoko rwaJehovha rwakaramba ruchivarwisa kusvikira rwavaparadza zvachose. Zvino wokupedzisira pakati pavarume ava vokurwa akati afa, Jehovha akati kwandiri, “Nhasi unofanira kupfuura nomunyika yeMoabhu, paAri. Kana woswedera pedyo navaAmoni, usavafurusa kana kuvadenha kuti murwisane, nokuti handingakupei kuti mutore nyika ipi zvayo yavaAmori. Ndakaipa kuti ive yezvizvarwa zvaRoti.” (Naiyowo yainzi inyika yevaRafaimu, vaisimbogaramo; asi vaAmoni vaivadaidza kuti vaZamuzumi. Vaiva vanhu vakasimba, vakawanda, uye vakareba savaAnaki. Jehovha akavaparadza pamberi pavaAmoni, avo vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo. Jehovha akanga aitira zvimwe chetezvo kuzvizvarwa zvaEsau, vaigara muSeiri, paakaparadza vaHori pamberi pavo. Vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo kusvikira nhasi. Uye kana vari vaAvhi vakange vagere mumisha kusvikira Gaza, vaKafitori vaibva Kafitori vakavaparadza ndokugara munzvimbo yavo.) Budai zvino muende, muyambuke mupata weArinoni. Tarirai ndakaisa muruoko rwenyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake. Tangai kuitora mugorwa naye. Nhasi chaiye ndichatanga kuvhundutsa nokutyisa ndudzi dzose dziri pasi pedenga nokuda kwenyu. Ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu vagodedera nokutya kwazvo pamusoro penyu. Ndakatuma nhume kubva murenje reKedhemoti kuna Sihoni mambo weHeshibhoni ndichikumbira rugare, uye ndikati, “Titenderei kuti tipfuure nomunyika yenyu. Tichafamba nenzira huru; hatizotsauki kurudyi kana kuruboshwe. Mutitengesere zvokudya nemvura yokunwa nomutengo wazvo wesirivha. Chingotitenderai henyu kuti tipfuure netsoka, sezvatakaitirwa navana vaEsau vagere muSeiri, nevana vaMoabhu, vagere muAri. Kusvikira tayambuka Jorodhani tichipinda munyika iyo yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.” Asi Sihoni mambo weHeshibhoni akaramba kutitendera kuti tipfuure namo. Nokuti Jehovha Mwari wenyu akanga aomesa mweya wake uye akanga arambidza mwoyo wake, kuti agomuisa mumaoko enyu, sezvaaita iye zvino. Jehovha akati kwandiri, “Tarira ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri. Zvino chitanga kuikunda ugotora nyika yake.” Sihoni nehondo yake yose akati auya kuzorwa nesu paJahazi, Jehovha Mwari wedu akamuisa kwatiri uye takamuparadza, iye pamwe chete navanakomana vake nehondo yake yose. Panguva iyoyo takatora maguta ake ose tikaaparadza chose, varume navakadzi uye navana. Hapana watakasiya ari mupenyu. Asi zvipfuwo nezvatakapamba kubva mumaguta takazvitora kuti zvive zvedu. Kubva paAroeri pamahombekombe oMupata weArinoni, nokubva kuguta rokumupata, kunyange kusvikira kuGireadhi, hakuna kumbova kana neguta rimwe chete rakatikunda. Jehovha Mwari wedu akatipa vose. Asi maererano nokurayira kwaJehovha Mwari wedu hamuna kuswedera kunyika ipi zvayo yavaAmoni, kunyange kunyika iri kurutivi rweJabhoki kana kunyika yakapoteredza maguta ari mumakomo. Mushure maizvozvo takadzoka tikakwira nenzira inoenda kuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose vakauya kuzorwa nesu paEdhirei. Jehovha akati kwandiri, “Usatya nokuda kwake, nokuti ndakamuisa kwauri uye nenyika yake. Muitire sezvamakaita kuna Sihani mambo wavaAmoni, akanga achitonga muHeshibhoni.” Naizvozvo Jehovha Mwari wedu akaisawo Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose mumaoko edu. Takavaparadza tikasasiya kana mumwe chete mupenyu. Panguva iyoyo takatora maguta ake ose. Hapana kana guta rimwe chete ratisina kuvatorera pamaguta makumi matanhatu, nyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani. Maguta ose iwaya akanga akapoteredzwa namasvingo marefu namasuo namazariro, uye kwakanga kunewo misha mizhinji kwazvo yakanga isina kukomberedzwa namasvingo. Takaaparadza zvachose, sezvatakaitira Sihoni mambo weHeshibhoni, takaparadza guta rimwe nerimwe, varume, navakadzi uye navana. Asi zvipfuwo zvose nezvatakapamba kubva mumaguta avo takazvitora zvikava zvedu. Saka nenguva iyoyo takatorera madzimambo maviri aya avaAmoni nyika yokumabvazuva kweJorodhani, kubva paMupata weArinoni kusvikira kuGomo reHerimoni. (Herimoni rinonzi Sirioni navaSidhoni; vaAmori vanoriti Seniri). Takatora maguta ose enzvimbo yakakwirira neGireadhi yose, uye neBhashani yose kusvikira paSareka neEdhirei, maguta oushe hwaOgi muBhashani. (Ogi mambo weBhashani ndiye chete akasara pane vakasara vevaRefaiti. Mubhedha wake wakanga wakagadzirwa nesimbi uye wakanga wakareba makubhiti mapfumbamwea uye makubhiti manab paupamhi. Uchiriko muRabha ravaAmoni.) Panyika yatakatora panguva iyoyo, ndakapa vaRubheni navaGadhi nyika yokumusoro kweAroeri Mupata weArimoni, kusanganisira nehafu yenyika yamakomo yeGireadhi, pamwe chete namaguta ayo. Imwe nyika yose yeGireadhi uyewo neBhashani yose, muumambo hwaOgi ndakapa kurudzi rwehafu rwaManase. (Nyika yose yeArigobhu muBhashani yaimbozivikanwa senyika yavaRefaimu. Jairi mwana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza zita rake zvokuti nanhasi Bhashani inonzi Havhoti Jairi.) Uye ndakapa Gireadhi kuna Makiri. Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa nyika inobva paGireadhi zvichidzika kusvikira paMupata weArinoni (pakati pemupata uriwo muganhu) uye kubuda kusvikira kuRwizi Jabhoki, unova ndiwo muganhu wavaAmoni. Muganhu wayo wokumavirira waiva Jorodhani muArabha, kubva Kinereti kusvika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), mujinga mamawere ePisiga. Panguva iyo ndakakurayirai, ndikati, “Jehovha Mwari wenyu akakupai nyika iyi kuti ive yenyu. Asi varume vose vakasimba vanofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu vaIsraeri, vakashonga nhumbi dzokurwa. Asi, vakadzi venyu navana venyu uye nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvakawanda) zvinosara mumaguta andakakupai, kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo sezvaakarayira kwamuri, uye naivowo vatora nyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani. Shure kwaizvozvo mumwe nomumwe wenyu achadzoka kunhaka yandakakupai.” Panguva iyo ndakarayira Joshua, ndikati, “Wakaona nameso ako zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wako kumadzimambo maviri aya. Jehovha achaita zvimwe chetezvo kuushe hwose mhiri uko kwamunoenda. Usavatya; Jehovha Mwari wako pachake achakurwira.” Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha panguva iyo, ndikati, “Imi Ishe Jehovha, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu noruoko rwenyu rune simba. Nokuti ndoupiko Mwari kudenga kana panyika angaita zvakafanana namabasa enyu uye namabasa makuru amunoita? Nditenderei henyu kuti ndiyambuke ndinoona nyika yakanaka iri mhiri kwaJorodhani, iyo nyika yamakomo yakanaka neRebhanoni.” Asi nokuda kwenyu, Jehovha akanditsamwira akasandinzwa Jehovha akati kwandiri, “Zvaringana. Usataurazve kwandiri pamusoro peshoko iri. Kwira pamusoro pegomo rePisiga ugotarisa kumadokero nokumusoro nezasi nokumabvazuva, uone nyika yacho nameso ako, sezvo usingazoyambuki Jorodhani urwu. Asi rayira Joshua, ugomukurudzira nokumusimbisa nokuti achatungamirira vanhu ava pakuyambuka uye achaita kuti vagare nhaka yenyika yauchaona.” Saka takagara mumupata uri pedyo neBheti Peori. Teererai zvino, imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandava kukudzidzisai. Muitevere kuti murarame uye mugopinda mugotora nyika iyo munopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Musawedzera kana kutapudza kubva pane zvandinokurayirai, asi chengetai mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai. Makaona nameso enyu zvakaitwa naJehovha paBhaari Peori, Jehovha Mwari wenyu akaparadza mumwe nomumwe pakati penyu aitevera Bhaari Peori. Asi imi mose makanamatira pana Jehovha Mwari wenyu muchiri vapenyu nhasi. Tarirai, ndakudzidzisai mitemo nemirayiro sezvandakarayirwa naJehovha Mwari wangu, kuti muitevere munyika yamuri kupinda kuti muitore ive yenyu. Muichengete zvakanaka, nokuti izvi zvicharatidza uchenjeri nokunzwisisa kwenyu kundudzi dzichanzwa pamusoro pemitemo iyi yose uye vachati, “Zvirokwazvo rudzi urwu rukuru, vanhu vakachenjera uye vanonzwisisa.” Ndorupi rumwe rudzi rukuru runa vamwari varwo vari pedyo navo saJehovha Mwari wedu ari pedyo nesu nguva ipi neipi zvayo yatinonyengetera kwaari? Uye ndorupiko rudzi rukuru rune mitemo nemirayiro yakarurama semirayiro iyi yandiri kuisa pamberi penyu nhasi? Asi zvichenjererei, mugonyatsozvichengetedza kuitira kuti murege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nameso enyu kana kuzvirega zvichibuda mumwoyo menyu mazuva ose oupenyu hwenyu. Muzvidzidzise nokuvana venyu. Murangarire zuva ramakamira pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, paakati kwandiri, “Unganidza vanhu pamberi pangu kuti vanzwe mashoko angu vagodzidza kunditya mazuva ose avachagara panyika uye kuti vagozoadzidzisa kuvana vavo.” Makaswedera mukamira pajinga pegomo, gomo paraipfuta nomoto waisvika kumatenga chaiko, pamwe chete nemakore matema nerima guru. Ipapo Jehovha akataura kwamuri ari mukati memoto. Makanzwa inzwi ramashoko asi hamuna kuona kuti ndiani; kwaingova nenzwi roga. Iye akataura sungano yake kwamuri, Mirayiro Gumi, iyo akakurayirai kuti muitevere uye ipapo akainyora pamahwendefa maviri amabwe. Zvino Jehovha akanditungamirira panguva iyo kuti ndikudzidzisei mitemo nemirayiro yamunofanira kundotevera munyika iyo yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu. Nokuti hamuna kuona zvaakanga akaita nezuva iro Jehovha akataura kwamuri paHorebhu ari mumoto. Naizvozvo zvichenjererei zvikuru, kuita kuti murege kuzvishatisa muchizvigadzirira chifananidzo, chifananidzo chechinhu chipi zvacho, chingave chakaitwa somurume kana somukadzi, kana semhuka ipi zvayo panyika kana seshiri ipi zvayo inobhururuka mudenga, kana sechisikwa chipi zvacho chinofamba pasi kana hove ipi zvayo iri pasi mumvura. Uye kuti kana muchitarisa kudenga mukaona zuva, nomwedzi nenyeredzi, zvose zviri kudenga, musatsauswa kuti muzvipfugamire nokunamata zvinhu izvo Jehovha Mwari wenyu akagovera ndudzi dzose dziri pasi pedenga. Asi kana muri imi, Jehovha akakutorai akakubudisai muchoto chamatare, akakubudisai muIjipiti, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi. Jehovha akanditsamwira nokuda kwenyu, uye akapika kuti handingayambuki Jorodhani nokupinda munyika yakanaka iyo munopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu. Ndichafira munyika ino; handichayambuki Jorodhani; asi imi mava kuzoyambuka nokutora nyika yakanaka. Muzvichenjerere kuti murege kukanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakaita nemi; musazviitira chifananidzo chorudzi rwechinhu chipi zvakadziviswa naJehovha Mwari wenyu. Nokuti Jehovha Mwari wenyu moto unoparadza, ndiMwari ane godo. Mushure mokunge mava navana navazukuru uye magara nguva refu munyika, kana mukazvishatisa nokugadzira chifananidzo chorudzi rupi zvarwo, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu muchimuita kuti ashatirwe, ndinodana denga napasi sezvapupu pamusoro penyu nhasi, kuti muchakurumidza kuparara kubva panyika yamuri kuyambukira Jorodhani kuti ive yenyu. Hamungagarimo nguva refu asi muchaparadzwa zvirokwazvo. Jehovha achakuparadzirai pakati pamarudzi, uye vashoma venyu chete ndivo vachapona pakati pendudzi uko kwamuchadzingirwa naJehovha. Ikoko muchanamata vamwari vakaitwa navanhu, vamatanda navamabwe, vasingagoni kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza. Asi kana mava ikoko mukatsvaka Jehovha Mwari wenyu, muchamuwana kana mukamutsvaka nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose. Kana muchinge matambudzika uye zvinhu zvose izvi zvaitika kwamuri, ipapo pamazuva achatevera muchadzoka kuna Jehovha Mwari wenyu mugomuteerera. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari ane ngoni, haangakusiyei kana kukuparadzai, kana kukanganwa sungano yamadzibaba enyu, yaakasimbisa kwavari nemhiko. Bvunzai zvino pamusoro pamazuva akapfuura kare imi musati mavapo, kubva nezuva iro Mwari akasika munhu panyika; bvunzai kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe. Kune chinhu chakamboitika chakakura seichi here, kana chimwe chakafanana nacho chakambonzwika? Kune vamwe vanhu vakambonzwa inzwi raMwari achitaura ari mukati momoto here, sezvamakanzwa imi uye vakararama? Kune mumwe mwari here akaedza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiedzo, nezviratidzo, nezvishamiso, nehondo, noruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, kana namabasa makuru anotyisa, sezvinhu zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu pamberi penyu muIjipiti? Makaratidzwa zvinhu zvose izvi kuti muzive kuti Jehovha ndiMwari; kunze kwake hakuna mumwe. Kubva kudenga akaita kuti munzwe inzwi rake kuti akudzidzisei. Panyika akakuratidzai moto wake mukuru, uye makanzwa mashoko ake kubva mukati momoto. Nokuti akada madzibaba enyu uye akazvitsaurira zvizvarwa zvavo zvakavatevera shure kwavo, akakubudisai muIjipiti noKuvapo kwake nesimba rake guru, kuti adzinge pamberi penyu ndudzi dzinokupfuurai pakukura napasimba uye nokukuuyisai munyika yavo kuti aipe kwamuri senhaka sezvazviri nhasi. Zvizivei nokuzvichengeta mumwoyo nhasi kuti Jehovha ndiMwari ari kudenga kumusoro uye napanyika pasi. Hakunazve mumwe. Chengetai mitemo nemirayiro yake yandinokupai nhasi, kuitira kuti zvigokuitirai zvakanaka imi navana venyu vanokuteverai uye kuti mugogara mazuva mazhinji panyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu nokusingaperi. Zvino Mozisi akatsaura maguta matatu kumabvazuva mhiri kwaJorodhani, uko ani naani anenge auraya munhu aitizira kana achinge auraya muvakidzani wake asingaiti nobwoni uye asingazvifungiri. Aigona kutizira mune rimwe ramaguta aya kuti ararame. Maguta aya aiti: Bhezeri munzvimbo yakakwirira yomurenje raiva ravaRubheni; Ramoti paGireadhi, raiva ravaGadhi; neGorani paBhashani, raiva ravaManase. Uyu ndiwo murayiro wakaiswa naMozisi pamberi pavaIsraeri: Izvi ndizvo zvakataurwa naMozisi, mitemo nemirayiro yaakavapa pavakabuda kubva muIjipiti uye vari kumabvazuva kwaJorodhani mumupata uri pedyo neBheti Peori, munyika yaSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni uyo akakundwa navaIsraeri pavakabuda muIjipiti. Vakatora nyika yake nenyika yaOgi mambo weBhashani, madzimambo maviri avaAmori aive kumabvazuva kwaJorodhani. Nyika iyi yaibva paAroeri pamahombekombe oMupata weArinoni kusvika pagomo reSioni (ndiro Herimoni), uye kusanganisira Arabha yose kumabvazuva kwaJorodhani, kusvikira kuGungwa reArabha, mujinga memateru ePisiga. Mozisi akadana vaIsraeri vose, akati, “Inzwai imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandinotaura muchinzwa nhasi. Idzidzei muchenjerere kuti muitevere Jehovha Mwari wedu akaita sungano nesu paHorebhu. Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi akaiita nesu, nesu tose vapenyu nhasi pano. Jehovha akataura nemi chiso nechiso ari mukati memoto pagomo. Panguva iyo ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi kuti ndizivise kwamuri shoko raJehovha, nokuti makanga muchitya moto mukasakwira mugomo. Uye iye akati, “Ndini Jehovha Mwari wako akakubudisa munyika yeIjipiti, munyika youranda. “Usava navamwe vamwari kunze kwangu. “Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho kudenga kumusoro kana panyika pasi kana pasi mumvura. Usazvipfugamira kana kuzvinamata; nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga, asi ndichiratidza rudo kune chiuru chemarudzi avanondida, vanochengeta mirayiro yangu. “Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina, nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva ani naani anoreva zita rake pasina. “Chengeta zuva reSabata rive dzvene, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako. “Ubate basa mazuva matanhatu, nokuita basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Nomusi uyo usabata basa ripi zvaro, kunyange iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, uye murandarume kana murandakadzi wako, nenzombe yako kana mbongoro yako kana chimwe chezvipfuwo zvako, nomutorwa ari mukati mamasuo ako, kuitira kuti murandarume nomurandakadzi wako azorore sewe. Murangarire kuti imi maimbova varanda munyika yeIjipiti uye kuti Jehovha Mwari wenyu akakubudisai nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa. Naizvozvo Jehovha Mwari wako anokurayira kuti uchengete zuva reSabata. “Kudza baba vako namai vako, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako, kuti mazuva ako ave mazhinji uye kuti zvigokuitira zvakanaka panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. “Usauraya. “Usaita upombwe. “Usaba. “Usapupura nhema pamusoro pomuvakidzani wako. “Usachiva mudzimai womuvakidzani wako. Usachochora imba kana munda womuvakidzani wako, muranda kana murandakadzi wake, nzombe kana mbongoro kana chimwe chinhu chomuvakidzani wako.” Iyi ndiyo mirayiro yakataurwa naJehovha nenzwi guru kuungano yenyu yose pagomo paya ari mukati memoto, mugore nerima guru, uye haana kuwedzera mamwe. Ipapo akaanyora pamahwendefa maviri amabwe ndokuapa kwandiri. Pamakanzwa inzwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, varume vose vanotungamira marudzi enyu, navakuru venyu vakauya kwandiri. Uye makati, “Jehovha Mwari wedu atiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa inzwi rake richibva mumoto. Nhasi taona kuti munhu anogona kurarama kunyange dai Mwari akataura naye. Asi zvino, tingafireiko? Uyu moto mukuru uchatiparadza, uye tichafa kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu. Nokuti ndianiko munhu anofa akambonzwa inzwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto, sesu, uye akararama? Swedera undonzwa zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu. Zvino iwe ugozotiudza zvose hazvo zvauchaudzwa naJehovha Mwari wedu. Tichazvinzwa tigozviteerera.” Jehovha akakunzwai pamakataura kwandiri uye Jehovha akati kwandiri, “Ndanzwa zvataurwa navanhu kwauri. Zvose zvavataura zvakanaka. Haiwa, dai mwoyo yavo yainditya nokuchengeta zvose zvandakarayira nguva dzose, kuti zvivaitire zvakanaka ivo navana vavo nokusingaperi! “Enda, undovaudza kuti vadzokere kumatende avo. Asi iwe mira pano pandiri kuti ndikupe zvandakarayira, mitemo nemirayiro yose yaunofanira kuvadzidzisa kuti vazviite panyika yandinovapa kuti ive yavo.” Saka chenjerai kuti muite zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu; musatsauka kurudyi kana kuruboshwe. Mufambe nenzira yose yamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu, kuti murarame nokubudirira uye kuti mazuva enyu ave mazhinji panyika iyo ichava yenyu. Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu, kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama. Chinzwa, iwe Israeri, uchenjere kuti uzviite kuiitira kuti zvikunakire uye kuti muwande kwazvo munyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu. Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete. Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Uzvisimbisise kuvana vako. Taura pamusoro payo kana ugere mumba mako uye kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi uye kana uchimuka. Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu. Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu. Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi, dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta, muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda. Itya Jehovha Mwari wako, ushumire iye oga ugoita mhiko dzako muzita rake. Musatevera vamwe vamwari, vamwari vamarudzi akakupoteredzai; nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika. Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa. Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai. Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai uye mugopinda nokutora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu, agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha. Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu inorevei?” Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba. Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo uye zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose. Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu. Jehovha akatirayira kuti titeerere mitemo iyi yose nokutya Jehovha Mwari wedu, kuitira kuti tibudirire nguva dzose nokurarama sezvatakaita nhasi. Uye kana tichichenjerera kuteerera murayiro uyu wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatirayira, ndiko kuchava kururama kwedu.” Zvino kana Jehovha Mwari wenyu akusvitsai munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu akadzinga ndudzi zhinji pamberi penyu dzinoti: vaHiti, vaGirigashi, vaAmori, vaKenani vaPerizi, vaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, uye kana Jehovha Mwari wenyu akavaisa mumaoko enyu akavakunda, ipapo munofanirwa kuvaparadza zvachose. Musaita chibvumirano navo, uye musavanzwira tsitsi. Musaroorerana navo. Musapa vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kutorera vanakomana venyu vanasikana vavo, nokuti vachatsausa vanakomana venyu kubva pakunditevera kuti vashumire vamwe vamwari, uye kutsamwa kwaJehovha kuchapisa pamusoro penyu uye achakuparadzai nokukurumidza. Izvi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo anoera, temai mapango avo aAshera mugopisa mifananidzo yavo. Nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Jehovha Mwari wenyu akakutsaurai kubva kundudzi dzose dziri panyika kuti muve vanhu vake, pfuma yake inokosha. Jehovha haana kukudai kana kukutsaurai nokuti makanga makawanda kupfuura dzimwe ndudzi nokuti imi makanga muri vashoma pandudzi dzose. Asi nokuda kwokuti Jehovha anokudai uye akachengeta mhiko yaakaita kumadzitateguru enyu nokuda kwaizvozvo akakubudisai noruoko rune simba uye akakudzikinurai kubva munyika youranda, kubva pasimba raFaro mambo weIjipiti. Naizvozvo zivai kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari; iye ndiMwari akatendeka anochengeta sungano yake yorudo kusvikira kumarudzi ane chiuru chamarudzi kuna avo vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake. Asi vaya vanomuvenga achatsiva pamberi pavo nokuparadza; haachazononoki kutsiva pamberi pavo ivo vaya vanomuvenga. Naizvozvo, chenjerai kuti mutevere zvakarayirwa, mitemo nemirayiro yandinokupai nhasi. Kana mukanyatsoteerera mirayiro iyi uye mukachenjerera kuti muitevere, ipapo Jehovha Mwari wenyu achachengeta sungano yake yorudo nemi, sezvaakapika kumadzitateguru enyu. Achakudai uye achakuropafadzai uye achakuwedzerai uwandu hwenyu. Acharopafadza zvibereko zvomuviri wako, zvirimwa zvomunda wako, zviyo zvako, waini itsva namafuta, mhuru dzemombe uye makwayana amapoka ako munyika iyo yaakapikira madzitateguru enyu, kuti achakupai. Mucharopafadzwa kupfuura mamwe marudzi ose, hapangavi nomurume kana mukadzi asingabereki, kana chipfuwo chipi zvacho chisingabereki. Jehovha achakuchengetedzai kubva pahosha dzose. Haangaisi pamusoro penyu hosha dzakaipisa dzamaiziva muIjipiti, asi achadziisa pamusoro paavo vose vanokuvengai. Munofanira kuparadza marudzi ose akaiswa mumaoko enyu naJehovha. Musavanzwira tsitsi uye musashumira vamwari vavo nokuti izvozvo zvichava musungo kwamuri. Mungati mumwoyo menyu, “Ndudzi idzi dzakasimba kutipfuura. Tingadzidzinga seiko?” Hamufaniri kuvatya; nyatsorangarirai zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kuna Faro neIjipiti yose. Makazviona nameso enyu matambudziko makuru, zviratidzo nezvishamiso, ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa urwo Jehovha Mwari wenyu akakubudisai narwo. Jehovha Mwari wenyu achaita zvimwe chetezvo kumarudzi aya ose amava kutya zvino. Pamusoro pezvo Jehovha Mwari achatumira mago pakati pavo kusvikira kunyange nevachasara vari vapenyu vakavanda kubva kwamuri vaparadzwa. Musatyiswa navo, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ari pakati penyu ndiMwari mukuru anotyisa. Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi kubva pamberi penyu, zvishoma nezvishoma. Hamungatenderwi kuvaparadza vose kamwe chete, kuti zvikara zvesango zvirege kuwanda munzvimbo dzakakupoteredzai. Asi Jehovha Mwari wenyu achavapa kwamuri, achivakanganisa zvikuru kusvikira vaparadzwa. Achaisa madzimambo avo muruoko rwenyu, uye achabvisa mazita avo pasi pedenga. Hapana achagona kumira pamberi penyu; muchavaparadza. Zvifananidzo zvavamwari vavo munofanira kuzvipisa. Musachiva sirivha kana negoridhe iri pazviri, uye musaitora kuti ive yenyu, nokuti ingava musungo kwamuri, nokuti inonyangadza kuna Jehovha Mwari wenyu. Usauyisa chinhu chinonyangadza mumba mako, kuti iwe, saicho, urege kutsaurirwa kuparadzwa. Chiseme kwazvo ugochivenga, nokuti chinhu chakatsaurirwa kuparadzwa. Muchenjerere kutevera murayiro mumwe nomumwe, wandinokupai nhasi, kuitira kuti mugorarama mugowanda uye mugopinda nokutora nyika iyo Jehovha akavimbisa madzitateguru enyu nemhiko. Rangarirai matungamirirwo amakaitwa naJehovha Mwari wenyu munzira yose yomurenje makore ose aya makumi mana, achikuninipisai nokukuedzai kuti azive zvaiva mumwoyo menyu, kana makanga muchida kuchengeta mirayiro yake kana kuti kwete. Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha. Nguo dzenyu hadzina kusakara uye tsoka dzenyu hadzina kuzvimba pamakore aya makumi mana. Naizvozvo zvizive mumwoyo wako kuti Jehovha Mwari wako anokuranga, somunhu anoranga mwanakomana wake. Chengeta mirayiro yaJehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake uye umukudze. Nokuti Jehovha Mwari wako ari kukuuyisa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura namatsime, nezvitubu zvinoerera mumupata nomumakomo; nyika ine zviyo nebhari, mizambiringa nemiti yemionde, neyemitamba, namafuta emiorivhi nouchi; nyika isingashayikwi chingwa uye hamuchazoshayiwi chinhu; nyika ine mabwe endarira uye uchachera mhangura mumakomo ayo. Kana uchinge wadya waguta rumbidza Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa, chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako uchirega kuchengeta zvaakarayira, mirayiro yake nemitemo yake yandinokupai nhasi. Nokuti zvichida kana wadya ukaguta, kana ukavaka dzimba dzakanaka uye wakagadzikana, uye kana mombe dzako namapoka amakwai ako zvawanda, nesirivha negoridhe rako zvawanda uye zvose zvaunazvo zvikawanda, ipapo mwoyo wako uchazvikudza zvino uchakanganwa Jehovha Mwari wako, akakubudisa muIjipiti, kubva munyika youranda. Akakutungamirirai murenje guru rinotyisa, munyika iyo yakaoma isina mvura, nenyoka dzayo nezvinyavada zvine uturu. Iye akakubudisira mvura kubva padombo rakaoma. Akakupai kuti mudye murenje, chinhu chakanga chisingambozivikanwi namadzibaba enyu, kuti akuninipisei nokukuedzai kuitira kuti zvikuitirei zvakanaka pakupedzisira. Ungati mumwoyo mako, “Simba rangu nesimba ramaoko angu ndizvo zvakandiitira upfumi uhu.” Asi urangarire Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye anokupa simba rokuita upfumi, naizvozvo achisimbisa sungano yake, yaakapikira madzitateguru enyu, sezvazviri nhasi. Kana mukangokanganwa Jehovha Mwari wenyu muchitevera vamwe vaMwari nokuvanamata uye nokuvapfugamira, ndinokupupurirai nhasi kuti zvirokwazvo muchaparadzwa. Imi muchaparadzwa sendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi penyu, kana mukaramba kuteerera Jehovha Mwari wenyu. Inzwa, iwe Israeri. Wava kuda kuyambuka Jorodhani zvino kuti upinde ugotorera ndudzi dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, dzina maguta makuru ane masvingo akareba kwazvo. Vanhu vacho vakasimba uye varefu vaAnaki! Unoziva nezvavo uye wakanzwa zvichinzi, “Ndiani angamira kuti arwise vaAnaki?” Asi nhasi uzive kuti Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka ari pamberi pako somoto unoparadza. Iye achavaparadza; achavakunda pamberi pako. Uye uchavadzinga nokuvaparadza nokukurumidza sezvawakavimbiswa naJehovha. Shure kwokunge Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako uchiti, “Jehovha akandiuyisa muno kuti nditore nyika ino nokuda kwokururama kwangu.” Kwete, Jehovha achadzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwadzo. Haupindi munyika yavo kuti ive yako nokuda kwokururama kwako kana kururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako achadzinga ndudzi idzi pamberi pako, nokuda kwokuipa kwadzo, kuti azadzise zvaakapika kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho. Naizvozvo nzwisisa kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka kuti ive yako nokuda kwokururama kwako, nokuti uri rudzi rune mutsipa mukukutu. Rangarirai izvi uye musakanganwa kuti makatsamwisa Jehovha Mwari wenyu sei murenje. Kubva nezuva ramakabuda muIjipiti kusvikira muchisvika pano, makaramba muchimukira Jehovha. PaHorebhu makamutsa hasha dzaJehovha zvokuti akatsamwa zvokuda kukuparadzai. Pandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano iyo yakanga yaitwa naJehovha kwamuri, ndakagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya kana kunwa mvura. Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari. Paari pakanga pakanyorwa mirayiro yose yakanga yataurwa kwamuri naJehovha pagomo ari mukati memoto, nezuva reungano. Pakupera kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano. Ipapo Jehovha akandiudza kuti, “Buruka ubve pano iye zvino, nokuti vanhu vako vawakabudisa kubva muIjipiti vaita zvakaipa. Vatsauka nokukurumidza kubva pane zvandakavarayira uye vazviitira chifananidzo chakaumbwa.” Uye Jehovha akati kwandiri, “Ndaona rudzi urwu, uye rudzi rune mutsipa mukukutu kwazvo! Ndirege, kuti ndivaparadze ndigodzima zita ravo pasi pedenga. Uye ndichakuita rudzi rwakasimba nokuwanda kupfuura zvavari.” Saka ndakadzoka ndikaburuka kubva pagomo richiri kupfuta nomoto. Uye ndakanga ndine mahwendefa maviri esungano mumaoko angu. Pandakatarira, ndakaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira chifananidzo chakaumbwa mumufananidzo wemhuru. Makanga matsauka nokukurumidza kubva panzira yamakanga marayirwa naJehovha. Saka ndakatora mahwendefa maviri ndikaakanda pasi kubva mumaoko angu, akaputsika kuita zvimedu zvimedu muchizviona. Ipapo zvakare ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; handina kudya zvokudya kana kunwa mvura, nokuda kwechivi chose chamakanga maita, muchiita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha nokudaro mukamutsa hasha dzake. Ndakatya hasha nokutsamwa kwaJehovha, nokuti akanga atsamwa zvokuti angakuparadzai. Asi Jehovha akateererazve kwandiri. Uyezve ndakatora chitadzo chenyu, chimhuru chamakanga magadzira, ndikachipisa mumoto. Ipapo ndakachiparadza ndikachikuya kusvikira chakuyika seguruva uye ndikakanda guruva racho murukova rwaiyerera kubva mugomo. Makatsamwisazve Jehovha paTabhera, napaMasa uye napaKibhuroti Hatava. Zvino nenguva iyo makatumwa naJehovha kubva paKadheshi Bharinea, iye akati, “Endai mundotora nyika iyo yandakakupai.” Asi imi makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye kana kumuteerera. Makagara muchimukira Jehovha kubvira nezuva randakatanga kukuzivai. Ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva iwayo ane makumi mana nousiku huna makumi mana nokuda kwokuti Jehovha akanga ati aizokuparadzai. Ndakanyengetera kuna Jehovha ndikati, “Nhai imi Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu, nhaka yenyu yamakadzikinura nesimba renyu guru mukavabudisa muIjipiti noruoko rune simba. Rangarirai varanda venyu Abhurahama, naIsaka naJakobho. Musatarira kusindimara kworudzi urwu, uipi hwavo nechivi chavo. Nokuti nyika yamakatibudisa kubva mairi ingazoti, ‘Jehovha akavabudisa akavaurayira murenje, nokuti akanga asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti akanga achivavenga.’ Asi ava vanhu venyu, nhaka yenyu yamakabudisa nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.” Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, “Veza mahwendefa maviri amabwe akaita saaya okutanga ugouya kwandiri pagomo. Ugadzirewo zvakare areka yomuti. Ndichanyora pamahwendefa mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga awakaputsa. Zvino unofanira kuaisa muareka.” Saka ndakagadzira areka ndichishandisa muti womuakasia uye ndikaveza mahwendefa maviri amabwe akanga akaita sookutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri aya mumaoko angu. Jehovha akanyora pamahwendefa aya zvakafanana nezvaakanga anyora pakutanga, Mirayiro Gumi yaakanga akuudzai pagomo, ari mumoto, nezuva reungano. Uye Jehovha akaipa kwandiri. Ipapo ndakadzoka ndikaburuka pagomo uye ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndagadzira, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha, uye ndimo maari nazvino. (VaIsraeri vakasimuka vakabva pamatsime avaJaakani vakaenda kuMosera. Ipapo ndipo pakafira Aroni akavigwa, uye Ereazari mwanakomana wake akatora chinzvimbo chake somuprista. Vakasimukapo vakaenda kuGudhugodha vakapfuurira kuenda kuJotibhata, nyika ine hova dzemvura. Panguva iyoyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, kuti vamire pamberi paJehovha vachishumira, uye kuti varopafadze vanhu muzita raJehovha, sezvavanoita nanhasi. Ndokusaka vaRevhi vasina mugove wenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiyo nhaka yavo sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.) Zvino ini ndakagara pagomo mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, sezvandakaita pakutanga, uye Jehovha akandinzwa panguva iyoyo zvakare. Kwakanga kusiri kuda kwake kuti akuparadzei. Jehovha akati kwandiri, “Enda, utungamirire vanhu panzira yavo, kuitira kuti vapinde uye vatore nyika yandakapikira madzibaba avo kuti ndichavapa.” Zvino, iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake dzose, nokumuda, nokushumira Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose, nokuchengeta mirayiro yaJehovha nemitemo yake yandinokupai nhasi kuti zvikunakire? Denga, kunyange nedenga rokumusorosoro, nenyika nezvose zviri mairi ndezvaJehovha Mwari wako. Kunyange zvakadaro Jehovha akafarira madzitateguru enyu akavada uye akakutsaurai, vana vavo, pamusoro pedzimwe ndudzi dzose sezvazviri nhasi. Naizvozvo, dzingisai mwoyo yenyu, uye murege kuva nemitsipa mikukutu zvakare. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavaMwari naIshe wamadzishe, Mwari mukuru, ane simba guru uye anotyisa, asingatsauri vanhu uye asingagamuchiri fufuro. Iye anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka. Uye munofanira kuda vatorwa, nokuti imi maimbovawo vatorwa muIjipiti. Ityai Jehovha Mwari wenyu mugomushumira. Batirirai paari uye muite mhiko dzenyu muzita rake. Ndiye rumbidzo yenyu; ndiye Mwari wenyu, iye akakuitirai zvinhu zvikuru nezvishamiso zvinotyisa zvamakaona nameso enyu. Madzitateguru enyu akaenda kuIjipiti vari makumi manomwe pamwe chete, uye zvino Jehovha Mwari wenyu achaita kuti muwande senyeredzi dzokudenga. Idai Jehovha Mwari wenyu uye muchengete zvaakatema, mitemo yake, nemirayiro yake uye nezvaakarayira, nguva dzose. Murangarire nhasi kuti vana venyu havasivo vakaona nokuziva kuranga kwaJehovha Mwari wenyu: noukuru hwake, noruoko rwake rune simba, noruoko rwake rwakatambanudzwa; nezviratidzo zvaakaita uye zvinhu zvaakaita pakati peIjipiti, nokuna Faro mambo weIjipiti uye nokunyika yake yose; zvaakaita kuhondo yavaIjipita, nokumabhiza nengoro dzayo, mafukidzirwo avakaitwa nemvura yomuGungwa Dzvuku pavakanga vachikuteverai, uye kuuyisa kwakaita Jehovha kuparadzwa pamusoro pavo zvachose. Havasi vana venyu vakaona zvaakakuitirai murenje kusvikira masvika panzvimbo ino, uye nezvaakaita kuna Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu muRubheni, apo nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza ivo nevedzimba dzavo, namatende avo nezvipenyu zvose zvakanga zviri zvavo, pakati pavaIsraeri vose. Asi aiva meso enyu akaona zvinhu zvose izvi zvakaitwa naJehovha. Naizvozvo chengetai mirayiro yose yandinokupai nhasi, kuti muve nesimba rokupinda nokutora nyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mundoita yenyu, uye kuti mazuva enyu ave mazhinji munyika iyo Jehovha akapikira kumadzitateguru enyu kuti achavapa ivo nezvizvarwa zvavo, nyika inoyerera mukaka nouchi. Nyika yamuri kupinda kundotora haina kufanana nenyika yeIjipiti, uko kwamakabva, uko kwamaidyara mbeu dzenyu muchidirira namakumbo sezvinoitwa mubindu romuriwo. Asi nyika yamuri kuyambuka Jorodhani kundotora kuti ive yenyu inyika yamakomo nemipata zvinonwa mvura kubva kudenga. Inyika inochengetwa naJehovha Mwari wenyu; meso aJehovha Mwari wenyu anoramba akaitarira kubva pakutanga kwegore kusvikira pakupera kwegore. Saka kana mukateerera mirayiro yandinokupai nhasi makatendeka, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, ipapo ndichanayisa mvura panyika yenyu nemwaka wayo, mvura yamasutso neyomunakamwe, kuitira kuti mugone kukohwa zviyo zvenyu newaini itsva namafuta. Ndichameresa uswa hwemombe dzenyu kumafuro uye muchadya muchiguta. Chenjerai, kuti murege kunyengerwa kuti mutsauke muchinamata vamwe vamwari uye nokuvapfugamira. Ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchapfuta pamusoro penyu, uye achapfiga denga kuti mvura iregere kunaya uye nyika icharega kubereka zvibereko zvayo, uye imi muchakurumidza kuparara kubva panyika yakanaka yamunopiwa naJehovha. Isai mashoko angu aya mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu; asungirei pamaoko enyu sezviratidzo uye muasungire pahuma dzenyu. Adzidzisei kuvana venyu, taurai pamusoro pavo pamunogara pasi uye nepamunenge muchifamba panzira, pamunorara pasi uye nepamunomuka. Anyorei pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu, kuitira kuti mazuva enyu namazuva avana venyu awande panyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha kuti achavapa, awande samazuva ayo denga richava pamusoro penyika. Kana mukachenjerera kuchengeta mirayiro yangu iyi yandinokupai kuti mutevere, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, kuti mufambe munzira dzake dzose nokubatirira paari, ipapo Jehovha achadzinga ndudzi dzose pamberi penyu, uyu muchatorera ndudzi dzakakura uye dzine simba kukupfuurai. Nzvimbo ipi neipi yamuchatsika netsoka dzenyu ichava yenyu: Nyika yenyu ichabva kurenje ichisvika kuRebhanoni, uye ichabva kuRwizi Yufuratesi ichisvika kugungwa rokumavirazuva. Hakuna munhu achagona kumira kuti akurwisei. Jehovha Mwari wenyu sezvaakakuvimbisai, achaita kuti vanhu vakutyei nokukuvhundukai munyika yose, kwose kwose kwamunoenda. Tarirai, nhasi ndiri kuisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa, kuropafadzwa kana muchiteerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai nhasi; kutukwa kana mukasateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu uye mukatsauka kubva panzira yandinokurayirai nhasi muchitevera vamwe vamwari, avo vamusati maziva. Kana Jehovha Mwari wenyu akuendesai munyika yamuri kupinda kuti muitore, munofanira kudaidzira kuropafadzwa kuzhinji paGomo reGerizimi, uye kutukwa kuzhinji paGomo reEbhari. Sezvamunoziva, makomo aya ari mhiri kweJorodhani, nechokumavirira kwomugwagwa, makananga kumavirazuva, pedyo nemiti mikuru yeMore, munyika yavaKenani vagere muArabha pedyo neGirigari. Mava kuda kuyambuka Jorodhani kuti mupinde uye mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu. Kana muchinge maitora uye mava kugaramo, chenjerai kuti muteerere mitemo nemirayiro yose yandiri kuisa pamberi penyu nhasi. Iyi ndiyo mitemo nemirayiro yamunofanira kuchenjera kuti mutevere munyika iyo Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, yaakakupai kuti ive yenyu, mazuva ose amuchagara munyika iyi. Paradzai chose nzvimbo dzose dziri pamakomo akakwirira nepazvikomo zvose uye napasi pemiti yose yakapfumvutira apo ndudzi dzose dzamunotorera nyika dzinoshumira vamwari vadzo. Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo ose anoera uye mupise matanda avo aAshera; temai zvifananidzo zvavo nezvimwari zvavo uye mugodzima mazita avo panzvimbo idzodzo. Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo. Asi munofanira kutsvaka nzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wenyu pakati pamarudzi enyu ose kuti aise Zita rakepo paanozogarapo. Kunzvimbo iyoyo ndiko kwamunofanira kuenda; ipapo ndipo panofanira kuuyiswa zvipiriso nezvinopiswa zvenyu zvegumi zvenyu nezvipo zvamakatsaura, zvamakapikira kuti muchapa uye nezvipo zvokuda kwenyu, nezvibereko zvokutanga zvenzombe dzenyu uye nezvibereko zvokutanga zvamakwai enyu. Ipapo pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi nemhuri dzenyu muchadya nokupembera pamusoro pezvinhu zvose zvamakabata namaoko enyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzai. Hamufaniri kuita sezvatinoita pano nhasi, mumwe nomumwe achiita zvaanoona zvakakodzera kuita, sezvo musati masvika panzvimbo yezororo nenhaka yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu. Asi muchayambuka Jorodhani mugogara munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, uye achakupai zororo kubva kuvavengi venyu vose vakakukomberedzai kuitira kuti mugare murugare. Zvino kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo, ipapo munofanira kuuyisa zvose zvandakakurayirai zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvibayiro, zvegumi zvenyu nezvipo zvakatsaurwa, uye zvinhu zvose zvakaisvonaka zvamakapikira kuna Jehovha. Zvino ipapo mugopembera pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi navanakomana venyu navanasikana venyu, varanda venyu navarandakadzi venyu, uye navaRevhi vari mumaguta enyu, avo vasina mugove kana nhaka yavo. Muchenjerere kuti musabayira zvipiriso zvenyu zvinopiswa pose pose pamunoda. Muzvipe chete panzvimbo ichatsaurwa naJehovha mune rumwe rwamarudzi enyu, uye ipapo muchapa zvipiriso zvenyu zvinopiswa uye muchaita zvose zvandinokurayirai. Zvisinei hazvo, mungabaya henyu zvipfuwo zvenyu mumaguta enyu uye mugodya nyama pamunodira, sokunge nyama yemhara kana yenondo maererano nokuropafadzwa kwamunopiwa naJehovha Mwari wenyu. Vose vasina kuchena navakachena vangadya havo. Asi hamufaniri kudya ropa; munofanira kuriteurira pasi semvura. Hamufaniri kudyira mumaguta enyu chegumi chezviyo zvenyu nechewaini yenyu itsva nechamafuta, kana chezvibereko zvokutanga zvenzombe dzenyu namakwai enyu, kana chipi zvacho chamakapikira kupa, kana zvipo zvokuda kwenyu kana zvipo zvakatsaurwa. Asi, munofanira kuti muzvidye muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza imi, vanakomana venyu navanasikana venyu, varandarume navarandakadzi venyu, navaRevhi vari mumaguta enyu uye munofanira kupembera pamberi paJehovha Mwari wenyu pamusoro pezvinhu zvose zvamuchabata namaoko enyu. Chenjerai kuti murege kukanganwa vaRevhi nguva yose yamuchagara munyika yenyu. Kana Jehovha Mwari wako achinge akurisa nyika yako sezvaakakuvimbisa, uye iwe ukapanga nyama ukati, “Ndinoda nyama,” ipapo uchadya nyama yakawanda sezvaunoda. Kana nzvimbo iyo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti aise Zita rakepo iri kure newe zvikuru, ungabaya hako zvipfuwo kubva pamombe dzako namakwai ako zvawakapiwa naJehovha, sezvandakurayira, mumaguta ako ungadya nyama yakawanda sezvaunoda. Uzvidye sounodya nyama yemhara kana yenondo. Vose vasina kuchena navakachena vangadya havo. Asi uchenjere kuti urege kudya ropa, nokuti ropa ndihwo upenyu, naizvozvo haufaniri kudya upenyu pamwe chete nenyama. Haufaniri kudya ropa, uriteurire pasi semvura. Usaridya, kuti zvive zvakakunakira iwe navana vako vachakutevera, nokuti unenge uchiita zvakanaka pamberi paJehovha. Asi utore zvinhu zvako zvitsvene nazvose zvawakapika kuti uchazvipa, ugoenda nazvo kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha. Uise zvipiriso zvako zvinopiswa paaritari yaJehovha Mwari wako, zvose zviri zviviri, nyama neropa. Ropa rezvibayiro zvako rinofanira kudururwa parutivi pearitari yaJehovha Mwari wako, asi ungadya zvako nyama yacho. Uchenjerere kuteerera mitemo yose yandinokupa, kuti zvive zvakakunakira nguva dzose iwe navana vako vachatevera mushure mako, nokuti unenge uchiita zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako. Jehovha Mwari wenyu achaparadza kubva pamberi penyu ndudzi dzamava kuda kurwisa nokutorera nyika. Asi kana muchinge madzidzinga uye magara munyika yavo, uye mushure mokunge vaparadzwa pamberi penyu, muchenjerere kuti murege kunyengerwa muchibvunza nezvavamwari vavo, muchiti, “Ko, ndudzi idzi dzinoshumira vamwari vadzo sei? Tichaitawo sezvavanoita.” Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo, nokuti mukushumira vamwari vavo, vanoita zvinhu zvose zvose zvinonyangadza zvinovengwa naJehovha. Vanopisa kunyangwe vanakomana navanasikana vavo mumoto sezvibayiro kuna vamwari vavo. Munofanira kuita zvose zvandakakurayirai; musawedzera pazviri kana kubvisa kubva pazviri. Zvino kana muprofita, kana muuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo, zvino kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, zvino iye akati, “Ngatiteverei vamwe vamwari” (vamwari vamusingazivi) “uye ngativanamatei,” hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari. Muprofita kana muroti uyo anofanira kuurayiwa, nokuti akaparidza kumukira Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda; akaedza kukutsausai kubva panzira yaJehovha Mwari wenyu yamakarayirwa kuti muitevere. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. Kana hama yako chaiyo, kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako, kana mudzimai wako waunoda, kana shamwari yako yepedyo ikauya kuzokutsausa muchivande, ichiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva iwe kana madzibaba ako, vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, kunyange vari pedyo kana vari kure, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvika kuno rumwe rutivi rwenyika), usatenda zvaanotaura kana kumuteerera. Usamunzwira tsitsi. Usamurega ari mupenyu kana kumudzivirira. Unotofanira kumuuraya zvirokwazvo. Ruoko rwako ndirwo runofanira kutanga kumuuraya, zvino maoko avamwe vanhu ozotevera pakumuuraya. Mutake namabwe afe, nokuti akaedza kukutsausa kubva kuna Jehovha Mwari wako, uyo akakubudisa muIjipiti, kubva munyika youranda. Ipapo Israeri yose ichazvinzwa ikatya, uye hapana kana mumwe pakati penyu achazoita chinhu chakaipa kudaro zvakare. Kana ukanzwa zvichitaurwa pamusoro perimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti mugaremo kuti vanhu vakaipa vamuka pakati penyu uye vatsausa vanhu vomuguta ravo, vachiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva), ipapo unofanira kubvunzisisa, nokutsvakisisa uye nokuferefeta kwazvo. Zvino kana zviri zvechokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti ndizvo, kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa pakati penyu, munofanira zvirokwazvo kuuraya nomunondo vanhu vose varo nezvipfuwo zvaro. Unganidzai zvose zvakapambwa zveguta pakati poruvazhe mugopisa chose guta uye nazvose zvakapambwa zvaro sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha Mwari wako. Rinofanira kugara riri dongo nokusingaperi, risingazovakwizve. Ngapasava nechimwe chezvinhu izvo zvakatongwa chinoonekwa mumaoko ako, kuti Jehovha adzore kutsamwa kwake kukuru; achakunzwirai tsitsi, agokunzwirai ngoni uye achakuwedzerai uwandu hwenyu, sezvaakakuvimbisai nemhiko kumadzitateguru enyu, nokuti makateerera Jehovha Mwari wenyu, kana mukachengeta mirayiro yandiri kukupai nhasi uye nokuita zvakanaka pamberi pake. Imi muri vana vaJehovha Mwari wenyu. Musazvicheka kana kuzviveura pamberi pomusoro muchiitira vakafa, nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Jehovha akakutsaurai kubva pakati pendudzi dzose dziri panyika kuti muve rudzi rwake runokosha. Musadya chinhu chipi zvacho chinonyangadza. Idzi ndidzo mhuka dzamungadya: mombe, hwai, mbudzi, nondo, mhara, mhembwe, ngururu, mharapara, nyati nehwai yomugomo. Mungadya henyu mhuka ipi neipi ina mahwanda akaparadzana kuita maviri uye inodzeya. Zvisinei, pane idzo dzinodzeya kana dzina mahwanda akaparadzana, mahwanda akanyatsoparadzana, hamufaniri kudya ngamera, tsuro kana mbira. Kunyange zvazvo dzichidzeya hadzina mahwanda akaparadzana; hadzina kuchena kwamuri. Nguruvewo haina kuchena; kunyange zvayo ina mahwanda akaparadzana, haidzeyi. Hamufaniri kudya nyama yadzo kana kubata zvitunha zvadzo. Pazvipuka zvose zvinogara mumvura, mungadya henyu zvose zvine zvimbi namakwande. Asi chipi nechipi zvacho chisina zvimbi namakwande hamufaniri kudya; nokuti hachina kuchena. Mungadya henyu shiri ipi neipi yakachena. Asi dzamusingafaniri kudya ndeidzi: gondo, gora, gora dema, njerere tsvuku, njerere nhema, rukodzi namarudzi arwo, gunguwo namarudzi aro ose, zizi renyanga, kazizimbori, shiri yegungwa, namarudzi ose eruvangu, zizi duku, zizi guru, zizi jena, zizi romurenje, hukurwizi nekanyururahove, neshuramurove namarudzi ose ekondo, nemhupupu uye nechiremwaremwa. Zvipuka zvose zvina mapapiro zvinokambaira hazvina kuchena kwamuri; hamufaniri kuzvidya. Asi zvipuka zvose zvina mapapiro zvakachena mungadya henyu. Musadya chii zvacho chamunoona chakafa. Mungapa zvenyu kumutorwa agere mune rimwe ramaguta enyu, uye angadya zvake kana kuti mungatengesera zvenyu kumutorwa. Asi imi muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo. Chenjera kuti utsaure chegumi chezvinhu zvose zvaunokohwa muminda yako gore roga roga. Udye chegumi chezviyo, newaini itsva namafuta uye nezvibereko zvokutanga zvemombe dzako nezvamakwai ako pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo, kuitira kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzose. Asi kana nzvimbo yacho iri kure uye waropafadzwa naJehovha Mwari wako, uye usingagoni kutakura chegumi chako (nokuti nzvimbo ichasarudzwa naJehovha kuti Zita rake rigarepo iri kure), ipapo unofanira kutsinhanisa chegumi chako nesirivha, ugotora sirivha ugoenda nayo kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako. Shandisa sirivha yacho kutenga zvaungada, zvakadai sezvizvi: mombe, makwai, waini kana zvimwe zvokunwa zvinobata, kana chinhu chipi zvacho chaunoda. Ipapo iwe neimba yako muchadya pamberi paJehovha Mwari wenyu mugofara. Uye musazokanganwa vaRevhi vagere mumaguta enyu, nokuti havana mugove kana nhaka yavowo. Panopera makore matatu oga oga, munofanira kuuya nezvegumi zvegore iroro uye mugozvichengetera mumaguta enyu, kuitira kuti vaRevhi (avo vasina mugove kana nhaka yavowo) uye nomweni, nherera nechirikadzi vanogara mumaguta enyu, vauye vagodya vachiguta, uye kuitira kuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzei pamabasa ose amaoko enyu. Pakupera kwamakore manomwe oga oga munofanira kudzima zvikwereti. Iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuitwa nayo: Mumwe nomumwe akapa chikwereti anofanira kudzima icho chaakakweretesa hama yake muIsraeri. Haangarevi chikwereti kune wokwake muIsraeri, kana hama yake, nokuti nguva yaJehovha yokudzima zvikwereti yaparidzwa. Ungareva hako chikwereti kubva kumutorwa, asi unofanira kudzima chikwereti chipi zvacho chakakweretwa nehama yako. Kunyange zvakadaro, hapafaniri kuva nomurombo pakati penyu, nokuti munyika iyo Jehovha Mwari wenyu yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, achakuropafadzai kwazvo, kana chete mukanyatsoteerera Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi. Nokuti Jehovha Mwari wenyu achakuropafadzai sezvaakavimbisa, uye imi muchapa zvikwereti kundudzi zhinji asi imi hamungakwereti kubva kurudzi rupi zvarwo. Muchatonga ndudzi zhinji asi hapana rudzi ruchakutongai. Kana pane murombo pakati pehama dzenyu mune ripi zvaro guta renyika iyo Jehovha ari kukupai musaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko kuhama yenyu inoshayiwa. Asi munofanira kutambanudzira ruoko uye mugopa hama yenyu pachena chipi nechipi chaanoshayiwa. Muchenjerere kuti murege kuva nomufungo wakaipa uyu wokuti: “Gore rechinomwe, gore rokudzima zvikwereti, rava pedyo,” kuitira kuti murege kuratidza mwoyo wakaipa kuhama yenyu inoshayiwa nokurega kumupa chinhu. Iye achachema kuna Jehovha pamusoro penyu, uye imi muchabatwa nemhosva yokuita chivi. Upe zvakawanda uye urege kumupa nomwoyo unogunun'una; ipapo nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza mumabasa ako ose uye pane chimwe nechimwe chaunobata noruoko rwako. Varombo vachagara varimo munyika. Naizvozvo ndinokurayira kuti utambanudze maoko kuhama dzako varombo navanoshayiwa munyika yako. Kana mumwe wako wechiHebheru, murume kana mukadzi achinge azvitengesa kwauri uye achinge akushandira kwamakore matanhatu, mugore rechinomwe unofanira kumusunungura umurege aende. Zvino kana uchinge wamusunungura usamusiya achienda asina chinhu. Mugovere zvakawanda kubva pamakwai ako, napaburiro rako uye napachisviniro chako chewaini. Mupe sokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako. Rangarirai kuti imi maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai. Nokudaro ndinokupai murayiro uyu nhasi. Asi kana muranda wako akati kwauri, “Handidi kukusiyai,” nokuti anokuda iwe nemhuri yako uye zvakamunakira kuva newe, ipapo utore runji ugourura nzeve yake narwo pagonhi, uye achava muranda wako nokusingaperi. Uite zvimwe chete kumurandakadzi wako. Usachiona sechinhu chakaoma kusunungura muranda wako, nokuti kukushandira kwake pamakore matanhatu kwakapfuura kakapetwa kaviri kushanda kwouyo anoshandira mubayiro. Uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza mune zvose zvaunoita. Tsaurira Jehovha Mwari wako chikono chose chokutanga chemombe dzako, makwai ako. Zvikono zvokutanga pakuberekwa zvemombe dzako hazvifaniri kuitiswa basa uye usaveura makushe amakwai ako akatanga kuberekwa. Gore rimwe nerimwe iwe nemhuri yako munofanira kuzvidya muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza. Kana chipfuwo chine chachinopomerwa, chakaremara kana kuti chiri bofu, kana kuti chine chimwe chinhu chakanyanyoipa pachiri, haufaniri kuchibayira kuna Jehovha Mwari wako. Unofanira kuchidyira mumaguta ako. Vose vasina kuchena navakachena vangazvidya havo sokunge vanodya mhara kana nondo. Asi haufaniri kudya ropa; riteurire pasi semvura. Rangarira mwedzi waAbhibhi upemberere Pasika yaJehovha Mwari wako, nokuti mumwedzi waAbhibhi akakubudisa kubva muIjipiti usiku. Bayira Jehovha Mwari wako chipfuwo kubva pamakwai ako kana kubva pamombe dzako sePasika panzvimbo iyo Jehovha achasarudza kuti Zita rake rigarepo. Usaidya nechingwa chine mbiriso, asi kwamazuva manomwe unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, chingwa chokutambudzika, nokuti makabuda muIjipiti muchikurumidza—kuitira kuti murangarire nguva yamakabuda kubva muIjipiti. Pamazuva manomwe aya ngapasawanikwa mbiriso panyika yenyu yose. Musarega nyama yamunobayira usiku hwezuva rokutanga ichisara kusvikira mangwanani. Hamufaniri kubayira Pasika mune ripi zvaro ramaguta amunopiwa naJehovha Mwari wenyu, kunze kwenzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo. Ipapo ndipo pamunofanira kubayira Pasika madekwana, kana zuva ravira, nezuva rokurangarira kwamakaita kubva muIjipiti. Igochei mugoidyira panzvimbo yamuchasarudzirwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo. Zvino kana ava mangwanani mudzokere kumatende enyu. Kwamazuva matanhatu mudye chingwa chisina mbiriso uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano kuna Jehovha Mwari wenyu uye murege kushanda. Verengai mavhiki manomwe kubva panguva yamunotanga kucheka gorosi. Ipapo upemberere Jehovha Mwari wako Mutambo waMavhiki nokupa chipo chokuda kwako maererano nokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako. Uye ufare pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere pakati penyu. Rangarirai kuti maiva varanda muIjipiti, uye muchenjerere kuchengeta mirayiro iyi. Upemberere Mutambo waMatumba mazuva manomwe mushure mokunge wapedza kuunganidza zvawawana paburiro rako napachisviniro chako. Ufare kwazvo paMutambo wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, varandarume vako navarandakadzi vako, navaRevhi vari mumaguta ako, uye navatorwa, nenherera nechirikadzi dzigere mumaguta enyu. Kwamazuva manomwe upemberere Mutambo kuna Jehovha Mwari wako panzvimbo ichasarudzwa naJehovha, nokuti Jehovha Mwari wako achakuropafadza mukukohwa kwako kwose nomubasa rako rose ramaoko ako, uye mufaro wako uchazadziswa. Katatu pagore varume vose pakati penyu vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo achasarudza: panguva yoMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, noMutambo waMavhiki uye noMutambo waMatumba. Hapana munhu anofanira kuuya asina chaakabata pamberi paJehovha: Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuya nechipo chakaenzanirana nokuropafadzwa kwaakaitwa naJehovha Mwari wenyu. Gadzai vatongi navakuru kurudzi rumwe norumwe rwenyu muguta rimwe nerimwe ramuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, uye vagotonga vanhu nokutonga kwakanaka. Musatsauka pakururamisa kana kuita rusaruro. Musagamuchira fufuro, nokuti fufuro rinopofumadza meso owakachenjera uye rinominamisa mashoko avakarurama. Teverai kururamisa uye kururamisisa chete, kuitira kuti mugorarama uye mugotora nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu. Musazvimisira matanda api zvawo aAshera parutivi pearitari yamunovakira Jehovha Mwari wenyu. Uye musamisa dombo rinoera, nokuti izvi Jehovha Mwari wenyu anozvivenga. Musabayira Jehovha Mwari wenyu mombe kana gwai rine chakaipa pariri kana rakaremara, nokuti izvozvo zvinomunyangadza. Kana pakati penyu mune rimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha pakawanikwa murume kana mukadzi achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu, achiputsa sungano, uye akapesana nomurayiro wangu anamata vamwe vamwari, achivapfugamira kana kupfugamira zuva kana mwedzi kana nyeredzi dzokudenga, uye izvi zvaziviswa kwamuri, ipapo munofanira kunyatsozvibvunzisisa kwazvo. Kana chiri chokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa muIsraeri, torai murume uyu kana mukadzi uyu akaita chinhu ichi chakaipa muende naye kusuo reguta renyu mugomutaka namabwe afe. Nokupupura kwezvapupu zviviri kana zvitatu munhu achaurayiwa, asi hapana munhu anofanira kuurayiwa nokupupura kwechapupu chimwe chete. Maoko ezvapupu ndiwo anofanira kutanga pakumuuraya, zvino pashure maoko avanhu vose. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. Kana mhaka dzikauya kumatare enyu dzakanyanya kukuomerai kuti mutonge, dzingava dzokudeurwa kweropa, dzokukwirirana matare kana dzokurwa, endai nadzo kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza. Endai kuvaprista, vanova vaRevhi uye kuvatongi vanenge vachitonga panguva iyoyo. Muvabvunze uye ivo vachakuudzai mutongo wakafanira. Muite sezvavanenge vakutongerai panzvimbo ichasarudzwa naJehovha. Muchenjerere kuita zvose zvavanenge vakurayirai kuti muite. Muite maererano nomurayiro wavanokudzidzisai uye nokutonga kwavanokuudzai. Hamufaniri kutsauka kubva pane zvavanokuudzai, kurudyi kana kuruboshwe. Munhu anozvidza mutongi kana muprista anomira achishumira pamberi paJehovha Mwari wenyu anofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa muIsraeri. Vanhu vose vachazvinzwa uye vagotya, uye havazozvidzi zvakare. Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu uye kana muchinge maitora kuti ive yenyu, uye magara mairi, uye mukati, “Ngatizvigadzirei mambo sezvakaita ndudzi dzose dzakapoteredza.” Chenjererai kuti mugadze mambo achasarudzwa naJehovha Mwari wenyu. Anofanira kubva pakati pehama dzenyu. Musazvigadzira mutorwa, uyo asiri hama yenyu muIsraeri. Mambo haafaniri kuva namabhiza akawanda kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotora mamwe, nokuti Jehovha akutaurirai kuti, “Hamufaniri kudzoka nenzira iyoyo zvakare.” Haafaniri kutora madzimai akawanda, nokuti mwoyo wake ungazotsauswa. Haafaniri kuunganidza sirivha negoridhe zvakawanda. Kana achinge agara pachigaro chake choushe, anofanira kuzvinyorera bhuku romurayiro uyu, achitora kubva mumirayiro yavaprista vanova vaRevhi. Anofanira kugara naro uye anofanira kuriverenga mazuva ose oupenyu hwake kuitira kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake uye agochenjerera kutevera mashoko ose omurayiro uyu nemitemo iyi. Uye haafaniri kuzviona seari nani kupfuura hama dzake agotsauka kubva pamurayiro kurudyi kana kuruboshwe. Ipapo iye nezvizvarwa zvake achagara nguva huru paushe hwake muIsraeri. Vaprista vanova vaRevhi, zvirokwazvo rudzi rwose rwaRevhi, havafaniri kuva nomugove kana nhaka pamwe chete neIsraeri. Vachararama nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha, nokuti ndiyo nhaka yavo. Havazovi nenhaka pakati pehama dzavo: Jehovha ndiye nhaka yavo sezvaakavavimbisa. Uyu ndiwo mugove wakafanira vaprista kubva kuvanhu vanobayira nzombe kana gwai: bandauko neshaya dzacho uye nezvemukati. Munofanira kuvapa zvibereko zvokutanga zvezviyo, waini itsva namafuta, uye namakushe okutanga amakwai ako, nokuti Jehovha Mwari wenyu akavasarudza ivo nezvizvarwa zvavo, kubva pakati pamarudzi ose kuti vamire vachishumira muzita raJehovha nguva dzose. Kana muRevhi akabva mune rimwe ramaguta enyu, kupi zvako muIsraeri kwaanenge achigara, uye akauya nomwoyo wake wose kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha, anogona hake kushumira muzita raJehovha Mwari wake savamwe vake vose vaRevhi vanoshumira ipapo pamberi paJehovha. Anofanira kuwana mugove wakaenzana newavo, kunyange zvake akawana mari paakatengesa nhaka yemhuri yake. Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, musadzidzira kutevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzirimo. Ngapasava nomumwe pakati penyu anoita mwanakomana wake kana mwanasikana wake chibayiro chinopiswa, kana anovuka kana anoita zvamazango kana anotenda zvamashura, kana kuita zvouroyi, kana anoita zvoun'anga, kana anotenda zvamasvikiro kana anobvunza vakafa. Ani naani anoita zvinhu izvi anonyangadza pamberi paJehovha, uye nokuda kwetsika idzi dzinonyangadza Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi pamberi penyu. Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako. Ndudzi dzamunotorera nyika dzinoteerera kuna avo vanoita zvamazango kana kuvuka. Asi kana muri imi Jehovha Mwari wenyu haana kukutenderai kuti muite izvozvo. Jehovha Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akaita seni kubva pakati pehama dzenyu. Munofanira kumuteerera. Nokuti izvi ndizvo zvamakakumbira Jehovha Mwari wenyu paHorebhu pazuva reungano apo makati, “Hatidi kunzwa inzwi raJehovha Mwari wedu kana kuona moto mukuru uyu zvakare, nokuti tingafa.” Jehovha akati kwandiri, “Zvavataura zvakanaka. Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo akaita sewe; ndichaisa mashoko angu mumuromo wake, uye achavaudza zvose zvandichamurayira. Kana pane munhu acharega kuteerera mashoko angu anotaurwa nomuprofita muzita rangu, ini pachangu ndichamubvunza pamusoro pazvo. Asi muprofita achataura muzita rangu mashoko api zvawo andisina kumurayira kuti ataure, kana muprofita anotaura muzita ravamwe vamwari, anofanira kuurayiwa.” Ungati zvako mumwoyo mako, “Tingaziva seiko kuti shoko iri rataurwa naJehovha?” Kana zvakataurwa nomuprofita muzita raJehovha zvikasaitika kana zvikasava chokwadi, shoko iroro harina kutaurwa naJehovha. Muprofita iyeye ataura zvomusoro wake. Musamutya. Kana Jehovha Mwari wenyu aparadza ndudzi dzaari kukupai nyika yadzo, uye kana muchinge madzidzinga mukagara mumaguta avo nedzimba dzavo, ipapo muzvitsaurire maguta matatu ari pakati penyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu. Mugadzire migwagwa inoenda kwaari uye mugoganhura, muzvikamu zvitatu nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, kuitira kuti ani naani anenge auraya munhu agotizirako. Uyu ndiwo murayiro pamusoro pomunhu anenge auraya mumwe munhu anotizirako kuti aponese upenyu hwake, munhu anouraya muvakidzani wake asingazivi, asina kunge amuvenga kare. Somuenzaniso, munhu anogona kupinda musango nomuvakidzani wake kundotema huni, paanosimudza demo kuti ateme muti, demo rovhomoka rotema muvakidzani wake ofa. Munhu iyeye anogona kutizira kune rimwe ramaguta aya agoponesa mweya wake. Zvimwe, mutsivi weropa angamutevera mukutsamwa, akamubata kana rwendo rwuri rurefu kwazvo, akamuuraya kunyange zvake akanga asingafaniri kufa, sezvo asina kuzviita kumuvakidzani wake noruvengo. Ndokusaka ndichikurayirai kuti muzvitsaurire maguta matatu. Kana Jehovha Mwari wenyu achinge azokurisa nyika yenyu, sezvaakavimbisa madzitateguru enyu nemhiko, uye kana achinge akupai nyika yose yaakavimbisa, nokuti mukachenjerera kutevera mirayiro iyi yose yandinokurayirai nhasi, kuti mude Jehovha Mwari wenyu uye mufambe munzira dzake nguva dzose, ipapo munofanira kutsaura maguta matatu. Muite izvi kuitira kuti ropa risina mhosva rirege kuteurwa munyika yenyu, yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu, uye kuti murege kuva nemhosva yokuteura ropa. Asi kana munhu achivenga muvakidzani wake akamuvandira, akamurova uye akamuuraya, akatizira kune rimwe ramaguta aya, vakuru veguta rake vanofanira kutuma munhu kuti andomutora kubva kuguta, uye vagomuisa mumaoko omutsivi weropa kuti afe. Musamunzwira tsitsi. Munofanira kubvisa muIsraeri mhosva yokuteurwa kweropa risina mhaka, kuitira kuti zvigokunakirai. Musabvisa dombo romuganhu nomuvakidzani wenyu, rakaiswa nevakakutangirai munhaka yamunogamuchira munyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu. Chapupu chimwe chete hachifaniri kupupurira munhu kuti agobatwa nemhosva yokupupura mhaka, kunyange dai akapara mhaka. Nyaya inofanira kusimbiswa nouchapupu hwevaviri kana vatatu. Kana chapupu chenhema chikapupurira munhu kuti ane mhaka, varume ava vari vaviri vari kuitirana nharo vanofanira kumira pamberi paJehovha napamberi pavaprista navatongi vanenge vachitonga panguva iyoyo. Vatongi vanofanira kunyatsoferefeta nyaya iyi, zvino kana chapupu ichi chikabatwa kuti chinoreva nhema, chichipa uchapupu hwenhema pamusoro pehama yake, ipapo itai kwaari sezvaanga achida kuita kuhama yake. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. Vanhu vose vachanzwa izvi vagotya uye chakaipa chakadai hachizoitwizve pakati penyu. Musaratidza tsitsi, upenyu noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka. Kana muchienda kundorwa navavengi venyu uye mukaona mabhiza nengoro nehondo huru kupfuura yenyu, musavatya, nokuti Jehovha Mwari, uyo akakubudisai kubva muIjipiti, achava nemi. Kana muchinge mava kuda kurwa, muprista anofanira kuuya kuzotaura kuvarwi. Iye achati, “Inzwai, imi Israeri, nhasi muri kuenda kundorwa navavengi venyu. Mwoyo yenyu ngairege kupera simba kana kutya; regai kutyiswa kana kuvhundutswa pamberi pavo. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anoenda nemi kundokurwirai kuvavengi venyu kuti akukundisei.” Vakuru vachatiwo kuvarwi, “Pane akavaka imba yake itsva here asati aikumikidza? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazoikumikidza. Pane akarima munda womuzambiringa here uye asati atanga kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazodya michero yawo. Pane akanyenga musikana here uye asati amuwana? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazomuwana.” Ipapo vakuru vachati zvakare, “Pane anotya here kana ane mwoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake kuitira kuti hama dzake dzisazorwadziwawo mwoyo saiye.” Kana vakuru vachinge vapedza kutaura kuvarwi, vanofanira kugadza vatungamiri vehondo. Pamunofamba muchinorwisa guta, munofanira kuriparidzira rugare. Kana varugamuchira vakazarura masuo avo, vanhu vose vomo vanofanira kumanikidzwa kushanda uye vanofanira kukushandirai. Kana vakaramba rugare uye vakarwa nemi, munofanira kukomba guta iroro. Kana Jehovha Mwari wenyu achinge ariisa mumaoko enyu, muuraye varume vose vari mariri. Asi kana vari vakadzi, navana nezvipfuwo uye nezvimwe zvose zviri muguta, munogona kuzvitora sezvakapambwa. Uye mungashandisa zvenyu zvakapambwa izvi zvamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kubva kuvavengi venyu. Izvi ndizvo zvamunofanira kuita kumaguta ose ari chinhambwe kubva kwamuri uye asiri maguta endudzi dziri pedyo. Asi, mumaguta endudzi amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, musasiya chinhu chipi zvacho chipenyu. Vaparadzei zvachose, ivo vaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi, sezvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu. Nokuti vangazokudzidzisai tsika dzavo dzinonyangadza dzavanoita vachinamata vamwari wavo, mugotadzira Jehovha Mwari wenyu. Kana mukakomba guta kwenguva refu, muchirirwisa kuti muripambe, musaparadza miti yaro nokuitema nokuti munogona kudya michero yayo. Musaitema. Ko, miti yomusango vanhu here, zvokuti mungaikomba? Zvisinei, mungatema zvenyu miti yamunoziva kuti haisi miti yemichero mugoshandisa pakukomba kusvikira makunda guta ramuri kurwa naro. Kana munhu akawanikwa akafa, akatandavara musango munyika iyo Jehovha Mwari wako ari kukupai kuti ive yenyu, uye musingazivi kuti ndiani amuuraya, vakuru venyu navatongi vachaenda kundoera chinhambwe kubva pachitunha kusvika kumaguta akakomberedza. Ipapo vakuru veguta riri pedyo nechitunha vanofanira kutora tsiru remombe risina kumboshandiswa uye risina kumbokweva pajoko, vagoenda naro kumupata usina kumborimwa kana kudyarwa uye pane rwizi runoerera. Imomo mumupata vanofanira kuvhuna mutsipa wetsiru. Vaprista, vanakomana vaRevhi vanofanira kuuya pamberi, nokuti Jehovha Mwari wenyu akavasarudza kuti vashumire nokuropafadza muzita raJehovha uye vanofanira kutonga pamhaka dzose dzegakava nedzokurwa. Ipapo vakuru vose veguta riri pedyo nechitunha vanofanira kushamba maoko avo pamusoro petsiru rakavhunwa mutsipa mumupata. Ipapo vanofanira kuti, “Maoko edu haana kudeura ropa iri, uye kana meso edu haana kuona zvichiitwa. Gamuchirai henyu yananiso yavanhu venyu vaIsraeri, vamakadzikinura, imi Jehovha, uye musabata vanhu venyu nemhosva yokuteura ropa romunhu asina mhaka.” Zvino kuteurwa kweropa kuchayananisirwa. Saka muchabvisa pakati penyu mhosva yokuteurwa kweropa risina mhaka sezvo maita chinhu chakanaka pamberi paJehovha. Kana muchinge maenda kundorwa navavengi venyu uye kana Jehovha Mwari wenyu avaisa mumaoko enyu uye mavatapa, kana ukaona pakati pavakatapwa mukadzi akanaka ukamuda, unogona kumutora ave mukadzi wako. Uya naye mumba mako ugomuveura musoro, ugogurira nzara dzake, uye ugorasha nguo dzaakatapwa nadzo. Mushure mokunge agara mumba mako nokuchema baba namai vake kwomwedzi wose, ipapo ugopinda kwaari, uve murume wake naiye achava mukadzi wako. Kana usina kufadzwa naye, murege aende chero kwaanoda. Haufaniri kumutengesa kana kumubata somuranda, sezvo uriwe wamunyadzisa. Kana munhu aine vakadzi vaviri, uye achida mumwe asi asingadi mumwe, uye vose vakamuberekera vanakomana asi wedangwe ari mwanakomana womukadzi waasingadi, kana ogova pfuma yake kuvanakomana vake, haafaniri kupa kodzero yedangwe kumwanakomana womukadzi waanoda pachinzvimbo chomwana wake wedangwe chaiye, mwanakomana womukadzi waasingadi. Anofanira kugamuchira mwanakomana womukadzi wake waasingadi sedangwe nokumupa mugove wakapetwa kaviri wezvose zvaanazvo. Mwanakomana iyeye ndiye chiratidzo chokutanga chesimba rababa vake. Kodzero yomwana wedangwe ndeyake. Kana munhu aine mwanakomana akasindimara asingateereri baba vake namai vake uye asingavateereri kana vachimuranga, baba vake namai vake vanofanira kumubata vagoenda naye kuvakuru pasuo reguta. Vachati kuvakuru, “Mwanakomana wedu uyu akasindimara uye anotimukira. Haatiteereri. Anoparadza pfuma uye chidhakwa.” Ipapo varume vose vomuguta rake vachamutaka namabwe afe. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. Israeri yose ichazvinzwa igotya. Kana munhu achinge aine mhosva yakafanira rufu, akaurayiwa uye chitunha chake chikasungirirwa pamuti, hamufaniri kusiya chitunha chake chiri pamuti usiku hwose. Muone kuti mamuviga zuva rimwe chetero, nokuti ani naani akasungirirwa akatukwa naMwari. Hamufaniri kusvibisa nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka. Kana ukaona nzombe yehama yako kana gwai rake rarasika, usarishayira hanya asi uone kuti waridzorera kwaari. Kana hama iyi ichigara kure newe kana kuti usingaizivi kuti ndiani, ritore uende naro kumba undorichengeta kusvikira muridzi waro auya achiritsvaga. Ipapo uridzosere kwaari. Uite zvimwe chetezvo kana uchinge waona mbongoro yehama yako kana nguo yake kana chinhu chipi zvacho chaanenge arasikirwa nacho. Usachisiya. Kana ukaona mbongoro yehama yako kana nzombe yake yakawa panzira, usairega. Ibatsire kuti imire netsoka dzayo. Mukadzi haafaniri kupfeka nguo dzomurume, uye murume haafaniri kupfeka nguo dzomukadzi, nokuti Jehovha Mwari wenyu anonyangadzwa nomunhu anoita izvi. Kana ukaona dendere reshiri panzira, ringava riri mumuti kana riri pasi, uye mai vacho vachivhuvatira vana kana mazai, usatora mai pamwe chete navana vayo. Unogona kutora vana vacho, asi unofanira kurega mai vacho vaende, kuitira kuti zvikunakire, uye uchava namazuva mazhinji oupenyu. Kana uchinge wavaka imba itsva, unofanira kuisa rumhanda padenga remba yako kuitira kuti urege kuuyisa mhosva yeropa pamusoro pemba yako kana mumwe munhu azowa kubva padenga rayo. Usadyara mbeu dzamarudzi maviri mumunda wako wemizambiringa; kana ukaita izvi hazvisi zvirimwa zvawadyara chete zvasvibiswa asi kuti nezvibereko zvomunda wemizambiringa wako zvakare. Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pajoko rimwe chete. Usapfeka nguo dzamakushe nomucheka zvakarukwa pamwe chete. Unofanira kuzviitira pfunha pamakona mana enguo yaunopfeka. Kana munhu akawana mukadzi uye mushure mokuvata naye, akasamufarira, uye akamunyomba uye akamupa zita rakaipa achiti, “Ndakawana mukadzi uyu, asi mushure mokuva naye, ndakamuwana asiri mhandara,” ipapo baba namai vomusikana uyu vanofanira kuuya nechiratidzo chokuti aiva mhandara kuvakuru veguta pasuo. Baba vomusikana uyu vachati kuvakuru, “Ndakapa mwanasikana wangu kuti awanikwe nomurume uyu, asi haana kumufarira. Zvino anomunyomba achiti, ‘Handina kuwana mwanasikana wenyu ari mhandara.’ Asi hechi chiratidzo choumhandara hwomwanasikana wangu.” Ipapo vabereki vake vanofanira kuwarira nguo pamberi pavakuru veguta, uye vakuru vachatora murume uyu vagomuranga. Vachamuripisa mashekeri esirivha anosvika zanaa vagopa kuna baba vomusikana, nokuti murume uyu apa zita rakaipa kumhandara yeIsraeri. Iye acharamba ari mukadzi wake; haafaniri kumuramba upenyu hwake hwose. Asi, kana mhaka iyi iri yechokwadi uye pasina chiratidzo choumhandara hwomusikana uyu, anofanira kuuyiswa pamukova wemba yababa vake uye ipapo varume veguta vagomutaka namabwe afe. Akaita chinhu chinonyadzisa muIsraeri nokuda kwokupata kwake paaiva achiri mumba mababa vake. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. Kana murume akawanikwa akavata nomukadzi akawanikwa nomumwe murume, vose vari vaviri murume nomukadzi waakavata naye vanofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa muIsraeri. Kana murume akasangana muguta nemhandara yakapiwa nduma kuti iwanikwe nomumwe murume uye akavata naye, munofanira kutora vose vari vaviri mugoenda navo pasuo reguta mugovataka namabwe vafe, musikana nokuda kwokuti akanga ari muguta akasaridza mhere kuti anunurwe, uye murume uyu nokuda kwokuti akakanganisa mukadzi womumwe murume. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. Asi kana murume akasangana nomusikana kunze kusango akamumanikidza kuvata naye, uye achinge akapiwa nduma yokuzowanikwa, murume aita izvi ndiye anofanira kufa chete. Musaita chinhu kumusikana wacho; haana kuita chivi chinofanira rufu. Mhaka iyi yakafanana neyomunhu anorwisa nokuuraya muvakidzani wake. Nokuti murume uyu akawana musikana uyu kunze musango, uye kunyange musikana uyu akaita mhiko akaridza mhere, pakanga pasina aigona kumununura. Kana murume akasangana nomusikana asina kupiwa nduma yokuwanikwa akamumanikidza kuvata naye uye vakawanikidzwa, acharipa baba vomusikana uyu mashekeri makumi mashanub esirivha. Anofanira kuwana musikana wacho, nokuti amukanganisa. Haafaniri kumuramba mazuva ose oupenyu hwake. Murume haafaniri kuwana mukadzi wababa vake; haafaniri kuzvidza nhoo yababa vake. Hapana murume akakuvadzwa manhu ake kana kubviswa nhengo yake achapinda paungano yaJehovha. Hapana munhu akaberekwa noupombwe, kana vana vake, anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kurudzi rwegumi. Hapana muAmoni kana muMoabhu, kana munhu upi worudzi rwake anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kurudzi rwegumi. Nokuti havana kuuya kuzokuchingamidzai nechingwa nemvura parwendo rwenyu apo makabuda kubva muIjipiti, uye vakaripa Bharamu mwanakomana waBheori wePetori muAramu Naharaimu kuti akutukei. Asi, Jehovha Mwari wenyu haana kuteerera Bharamu asi akashandura kutuka akakuropafadzai, nokuti Jehovha Mwari wenyu anokudai. Usatsvaka rugare kana ushamwari navo mazuva ose oupenyu hwako! Haufaniri kusema muEdhomu, nokuti ihama yako. Usasema muIjipita nokuti wakagara somutorwa munyika yake. Rudzi rwechitatu rwavana vake runogona harwo kupinda paungano yaJehovha. Kana muchinge maungana kuti murwe navavengi venyu, zvichengetedzei kubva pazvinhu zvose zvakaipa. Kana mumwe wavarume venyu asina kuchena nokuda kwokuti akazvirotera usiku, anofanira kubuda kunze kwomusasa agareko. Asi kana ava madekwana anofanira kuzvigeza, uye pakuvira kwezuva ngaapinde zvake mumusasa. Munofanira kuva nenzvimbo kunze kwomusasa kwamunofanira kuenda muchinozvibatsira. Sezvo panhumbi dzenyu dzokurwa nadzo paine zvokucheresa, zvino kana uchinge wapedza kuzvibatsira, unofanira kufusira gomba rawazvibatsira. Nokuti Jehovha Mwari wako anofamba-famba pamusasa wenyu achikuchengetedzai nokukurwirai kubva kuvavengi venyu. Musasa wenyu unofanira kuva mutsvene, kuitira kuti arege kuona zvisakarurama pakati penyu uye akazokufuratirai. Kana muranda atizira kwauri, usamudzosera kuna tenzi wake. Murege agare pakati penyu paanoda hake uye muguta ripi raachasarudza. Usamumanikidza. Hakuna muIsraeri, murume kana mukadzi achava mhombwe. Hamufaniri kuuya nomubayiro wechifeve kana wemhombwe mumba maJehovha Mwari wenyu kuti mupike nawo. Nokuti zvose izvi zviri zviviri zvinonyangadza Jehovha Mwari wenyu. Usaripisa hama yako mhindu, ingava yemari kana zvokudya kana chinhu chipi zvacho chaungawane mhindu kubva pachiri. Ungaripisa zvako mutorwa mhindu, asi kwete hama yako muIsraeri, kuitira kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pane zvose zvaungabate noruoko rwako munyika yauri kupinda kuti ive yenyu. Kana ukaita mhiko pamberi paJehovha Mwari wako, usanonoka kuiripa, nokuti Jehovha Mwari wako zvirokwazvo achaibvunza kwauri uye uchava nemhosva yechivi. Asi kana ukarega kuita mhiko, haungavi nemhosva. Uchenjerere kuti uite zvose zvaunotaura nomuromo wako, nokuti wakaita mhiko nokuda kwako kuna Jehovha Mwari wako nomuromo wako. Kana ukapinda mumunda womuzambiringa womuvakidzani wako, ungadya mazambiringa ose aunoda asi haufaniri kuisa mamwe mudengu rako. Kana ukapinda mumunda wezviyo womuvakidzani wako, ungavhuna hako hura noruoko rwako, asi haufaniri kucheka zviyo zvake nejeko. Kana murume akawana mukadzi akasafadzwa naye nokuti awana chinhu chisina kufanira paari, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make, uye kana mushure mokunge abva mumba make akandowanikwa nomumwe murume, uye murume wake wechipiri akasamufarira, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make, kana kuti murume uyu akafa, ipapo murume wake wokutanga, akambomuramba, haabvumirwi kumuwana zvakare mushure mokunge asvibiswa. Izvozvo zvinonyangadza pamberi paJehovha. Musauyisa chivi pamusoro penyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka. Kana murume achangobva kuwana, haafaniri kuendeswa kuhondo kana kupiwa rimwe basa zvaro rokuita. Kwegore rimwe chete anofanira kusununguka kuti agare pamba agofadza mukadzi wake waakawana. Usatora guyo kana huyo sorubatso rwechikwereti, nokuti unenge watora zvinoraramisa munhu sorubatso. Kana munhu akawanikwa achitapa hama yake yomuIsraeri uye achimubata senhapwa kana kumutengesa, nyakubata munhu anofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. Muchenjere kwazvo pachirwere chamaperembudzi kuti muite chaizvoizvo zvamakarayirwa navaprista vanova vaRevhi. Munofanira kuchenjerera kutevera zvandakavarayira. Murangarire zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kuna Miriamu panzira mushure mokunge mabuda muIjipiti. Kana ukakweretesa chinhu chipi zvacho kumuvakidzani wako, usapinda mumba momuvakidzani wako kundotora zvaari kukupa sorubatso. Gara panze urege munhu wauri kupa chikwereti akuvigire rubatso. Kana munhu uyu ari murombo, usaende kundovata une rubatso rwake. Dzosera jasi rake kwaari pakuvira kwezuva kuti agovata mariri. Ipapo achakutenda, uye zvigoonekwa sokuita kwakarurama pamberi paJehovha Mwari wako. Usamanikidza mushandi wako kana ari murombo kana munhu anoshayiwa, hazvinei kuti ihama yako muIsraeri kana kuti mutorwa anogara mune rimwe ramaguta enyu. Mupe mubayiro wake zuva risati ravira, nokuti iye murombo akatotarirawo pamugove wake. Nokuti angazochema kuna Jehovha pamusoro pako, uye uchazova nemhosva yokutadza. Madzibaba haafaniri kuurayiwa nokuda kwevana vavo, kana vana kuurayiwa nokuda kwamadzibaba avo; mumwe nomumwe achafira chivi chake. Usarega kururamisira mutorwa kana nherera, uye usatora nguo yechirikadzi sorubatso. Murangarire kuti maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai kubva ikoko. Ndokusaka ndichikurayirai kuti muite izvi. Kana uchikohwa munda wako ukakanganwa chisote, usachidzokera kundochitora. Chisiyire mutorwa, nherera kana chirikadzi, kuiitira kuti Jehovha Mwari wako agokuropafadza mumabasa ose amaoko ako. Kana wazunza miti yako yamaorivhi, usandozunzazve rwechipiri. Siyira asara kumutorwa, nherera nechirikadzi. Kana uchikohwa mazambiringa mumunda wako womuzambiringa, usadzokorora kukohwazve. Siyira zvinosara kumutorwa, nherera nechirikadzi. Murangarire kuti maiva varanda muIjipiti. Ndokusaka ndichikurayirai kuti muite izvi. Kana vanhu vane gakava, vanofanira kuenda kudare uye vatongi vachatonga nyaya iyi, vachiruramisira asina mhosva nokupa mhosva uyo akatadza. Kana munhu ane mhosva achifanira kurohwa, mutongi anofanira kumuti arare pasi agoita kuti arohwe pamberi pake neshamhu dzakafanira mhosva yake. Asi haafaniri kupiwa shamhu dzinodarika makumi mana. Kana akarohwa zvakapfurikidza mwero, hama yako inenge yazvidzwa pamberi pako. Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo. Kana hama dzichigara pamwe chete mumwe wavo akafa asina mwanakomana, chirikadzi yake haifaniri kuwanikwa kunze kwemhuri. Hama yomurume wake inofanira kumutora nokumuwana uye agoita zvinofanira kuitwa nehama yomurume wake kwaari. Mwanakomana wokutanga waachabereka anofanira kutora zita rehama yake yakafa kuitira kuti zita rake rirege kudzimwa muIsraeri. Asi, kana munhu asingadi kuwana mukadzi wehama yake, mukadzi achaenda kuvakuru pasuo reguta agoti, “Hama yomurume wangu yaramba kumutsa zita romukoma wake muIsraeri. Haadi kuita zvinofanira kuitwa nehama yomurume kwandiri.” Ipapo vakuru veguta romurume uyu vanofanira kumudana vataure naye. Kana akaramba achiti, “Handidi zvangu kumuwana,” chirikadzi yehama yake inofanira kuenda kwaari pamberi pavakuru, agomubvisa imwe yeshangu dzake, uye agomusvipira kumeso achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa kumurume anoramba kuvaka imba yomukoma wake.” Imba yomurume uyu ichazivikanwa muIsraeri nezita rokuti Imba Yomurume Akabvisa Shangu Yake. Kana varume vaviri vachirwa ipapo mukadzi womumwe wavo akauya kuzonunura murume wake pane anomurwisa, uye akaswedera akabata murume uya nhengo dzake, munofanira kugura ruoko rwake. Musamunzwira tsitsi. Usava nezviyereso zviviri zvisina kuenzana muhomwe yako, chimwe chinorema, chimwe chakareruka. Usava nezvipimiso zviviri zvakasiyana mumba mako, chimwe chikuru, chimwe chiduku. Unofanira kuva nezviereso nezvipimiso zvakanaka uye zvechokwadi kuitira kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako. Nokuti Jehovha Mwari wako anonyangadzwa nomunhu anoita zvinhu izvi, munhu upi zvake, anoita zvinhu nokusatendeka. Murangarire zvamakaitirwa navaAmareki parwendo rwenyu pamakabuda kubva muIjipiti. Pamakanga maziya uye maneta, vakasangana nemi parwendo rwenyu vakauraya vose vakanga vachisaririra shure; vakanga vasingatyi Mwari. Kana Jehovha Mwari wenyu akupai zvose kubva kuvavengi vakakupoteredzai munyika yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, munofanira kudzima kurangarirwa kwaAmareki kubva pasi pedenga. Musazokanganwa! Kana uchinge wapinda munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka uye kana uchinge waitora nokugara mairi, utore zvimwe zvezvibereko zvose zvokutanga zvauchakohwa kubva pavhu renyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako ugozviisa mudengu. Ipapo ugoenda kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wako achasarudza kuti Zita rake rigarepo, uye ugoti kumuprista ari kushumira panguva iyoyo, “Ndinozvireva nhasi pamberi paJehovha Mwari wako kuti ndasvika munyika yakapikirwa madzitateguru edu naJehovha kuti achatipa.” Muprista anofanira kutora dengu kubva mumaoko ako agoriisa pasi pamberi pearitari yaJehovha Mwari wake. Ipapo uchareva pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, “Baba vangu vakanga vari muAramu mufambi, vakadzika vakaenda kuIjipiti navanhu vashoma uye vakagarako vakazova rudzi rukuru, rune simba uye runa vanhu vazhinji. Asi vaIjipita vakatiitira zvakaipa, vakatitambudza, vachitibatisa basa rinorema. Ipapo takadana kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba edu, uye Jehovha akanzwa inzwi redu akaona kutambudzika kwedu, kushandiswa nokumanikidzwa kwedu. Saka Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo uye nezvishamiso. Akatiuyisa panzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi. Zvino ndauya nezvibereko zvokutanga zvevhu ramakandipa imi, iyemi Jehovha.” Uise dengu pamberi paJehovha Mwari wako uye ugopfugama pamberi pake. Uye iwe navaRevhi, navatorwa vari pakati penyu muchafara mune zvose zvakanaka zvawakaitirwa naJehovha Mwari wako, iwe nemhuri yako. Kana uchinge wapedza kutsaura chegumi chezvose zvawakawana mugore rechitatu, gore rechegumi, uchachipa kuvaRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, kuitira kuti vagodya vachiguta mumaguta enyu. Ipapo ugoti kuna Jehovha Mwari wako, “Ndabvisa mugove mutsvene paimba yangu uye ndaupa kumuRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, maererano nezvose zvamakarayira. Handina kutsauka kubva pamirayiro yenyu kana kukanganwa kunyange mumwe chete zvawo. Handina kudya kana chikamu zvacho chomugove mutsvene panguva yandaiva pakuchema, kana kubvisa chikamu chawo panguva yandaiva ndisina kunatswa, kana kupa chikamu chawo kuvakafa. Ndakateerera Jehovha Mwari wangu; ndaita zvose zvamakandirayira. Tarirai muri kudenga, panzvimbo yougaro hwenyu tsvene, mugoropafadza vanhu venyu Israeri uye nenyika yamakatipa sezvamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru edu, nyika inoyerera mukaka nouchi.” Jehovha Mwari wenyu anokurayirai nhasi kuti muteerere mitemo nemirayiro iyi; muchenjerere kuichengeta nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. Mareva nhasi kuti Jehovha ndiye Mwari wenyu uye kuti muchafamba munzira dzake, uye kuti muchamuteerera. Uye Jehovha azvireva nhasi kuti imi muri vanhu vake, pfuma yake inokosha sezvaakavimbisa, uye kuti imi muchachengeta mirayiro yake. Iye ati achakukurisai kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita pakurumbidzwa, napamukurumbira napakukudzwa kuti muve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, sezvaakavimbisa. Zvino Mozisi navakuru veIsraeri vakarayira vanhu vachiti, “Chengetai mirayiro iyi yose yandinokupai nhasi. Kana muchinge mayambuka Jorodhani muchipinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, munofanira kumisa mabwe makuru mugoapenda nesuko. Mugonyora pamusoro pawo mashoko ose nomurayiro uyu kana muchinge mayambuka mhiri kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu. Zvino kana muchinge mayambuka Jorodhani, misai mabwe aya paGomo reEbhari, sezvandakurayirai nhasi, mugoapenda nesuko. Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu ipapo, aritari yamabwe. Musashandisa simbi pakumisa mabwe aya. Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu namabwe asina kuvezwa uye mugobayirapo kuna Jehovha Mwari wenyu zvipiriso zvinopiswa. Mubayire zvipiriso zvokuyanana ipapo, muzvidye uye muchipembera pamberi paJehovha Mwari wenyu. Uye munofanira kunyora mashoko aya ose omurayiro pamabwe amakamisa aya zvinonyatsoonekwa.” Ipapo Mozisi navaprista vanova vaRevhi, vakataura kuvaIsraeri vose vakati, “Nyararai imi Israeri, uye muteerere! Iye zvino mava rudzi rwaJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo teererai Jehovha Mwari wenyu uye mugotevera mirayiro nemitemo yandinokupai nhasi.” Pazuva rimwe chetero Mozisi akarayira vanhu achiti: Kana muchinge mayambuka Jorodhani, aya ndiwo marudzi anofanira kundomira pamusoro peGomo reGerizimi kuti varopafadze vanhu: Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa naBhenjamini. Uye marudzi aya ndiwo achamira paGomo reEbhari kuti vadanidzire kutuka: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuruni, Dhani, naNafutari. VaRevhi vachataura kuvanhu vose veIsraeri nenzwi guru vachiti: “Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakaumbwa, chinhu chinonyangadza Jehovha, basa ramaoko emhizha, uye agochimisa pakavanzwa.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anozvidza baba kana mai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni.” “Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anotsausa bofu panzira.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anorega kururamisira mutorwa, nherera kana chirikadzi.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anovata nomukadzi wababa vake, nokuti azvidza nhoo yababa vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anovata nemhuka ipi zvayo.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anovata nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anovata namai vomukadzi wake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anouraya muvakidzani pakavanda.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu anogamuchira fufuro kuti auraye munhu asina mhosva.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” “Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu nokuaita.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!” Kana muchiteerera zvakanaka Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandinokupai nhasi, Jehovha Mwari wenyu achakuisai pamusoro-soro pendudzi dzose dzapanyika. Maropafadzo aya ose achauya pamusoro penyu uye achava nemi kana muchiteerera Jehovha Mwari: Ucharopafadzwa muguta uye ucharopafadzwa mumunda. Zvibereko zvomuviri wako zvicharopafadzwa, uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvemombe dzako, mhuru dzemhou dzako uye namakwayana amakwai ako. Dengu rako nomudziyo waunokanyira chingwa zvicharopafadzwa. Ucharopafadzwa kana uchipinda uye ucharopafadzwa kana uchibuda. Jehovha achaita kuti vavengi vako, vanokumukira kuti vakurwise, vakundwe pamberi pako. Vachauya kwauri nenzira imwe asi vagotiza vachibva kwauri nenzira nomwe. Jehovha achakutumira kuropafadzwa pamatura ako uye nepane zvose zvauchabata namaoko ako. Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yaari kukupa. Jehovha achakusimbisai sorudzi rwake rutsvene, sezvaakakuvimbisai nemhiko, kana mukachengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nokufamba munzira dzake. Ipapo marudzi ose ari panyika achazviona kuti munodanwa nezita raJehovha, uye vachakutyai. Jehovha achakupa pfuma zhinji, muzvibereko zvomuviri wako, zvibereko zvezvipfuwo zvako uye nezvirimwa zvevhu rako, munyika yaakapikira kumadzitateguru ako kuti achakupa. Jehovha achazarura matenga, matura ake epfuma zhinji, kuti atumire mvura panyika yako nenguva uye acharopafadza mabasa ose amaoko ako. Iwe uchakweretesa ndudzi zhinji asi iwe haungakwereti. Jehovha achakuita musoro, kwete muswe. Kana ukanyatsoteerera kumirayiro yaJehovha Mwari wako yandinokupa nhasi uye ukachenjerera kuitevera, ucharamba uri pamusoro chete, haungavi pasi. Usatsauka kubva pane mumwe wemirayiro yandinokupa nhasi, kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire. Asi, kana usingateereri Jehovha Mwari wako uye usingachenjereri kutevera mirayiro yake yose nemitemo yandinokupa nhasi, kutukwa kwose uku kuchava pamusoro pako, uchakundwa nako: Uchatukwa muguta uye uchatukwa mumunda. Dengu rako nomudziyo wako wokukanyira chingwa zvichatukwa. Chibereko chomuviri wako chichatukwa, uye zvirimwa zvevhu rako, nemhuru dzemhou dzako namakwayana amakwai ako. Uchatukwa kana uchipinda uye uchatukwa kana uchibuda. Jehovha achatuma kutukwa pamusoro pako, nokunyonganiswa uye nokurangwa pazvinhu zvose zvaunobata namaoko ako, kusvikira waparadzwa uye kusvikira waparara nokukurumidza nokuda kwezvakaipa zvawakaita zvokumuramba. Jehovha achakurova nedenda nezvirwere kusvikira akuparadza kubva panyika yauri kupinda kuti uitore. Jehovha achakurova nechirwere chinoondesa, nefivha nokupisa kwomuviri, nokupisa kukuru, nokusanaya kwemvura nenyunje, nokuvhuvha, uye zvichakutevera kusvikira waparara. Denga riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare. Jehovha achashandura mvura yenyika yako ikava guruva nemhukuta; richanaya kubva kudenga kusvikira waparadzwa. Jehovha achaita kuti mukundwe navavengi venyu. Muchauya nenzira imwe kuzorwa navo asi mugotiza pamberi pavo nenzira nomwe, uye muchava chinhu chinotyisa kumarudzi ose apanyika. Zvitunha zvenyu zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nezvikara zvenyika, uye hapana achazvidzinga. Jehovha achakurovai namamota eIjipiti uye namaronda, nemhezi nokuswinya zvicharamba kupora. Jehovha achakurovai nokupenga, upofu nokunyonganiswa kwepfungwa. Pamasikati makuru uchatsvanzvadzira sebofu murima. Haungabudiriri pane zvose zvauchaita; zuva nezuva uchamanikidzwa uye uchabirwa pasina anokununura. Uchanyenga mukadzi kuti umuwane, asi mumwe murume achamuwana agovata naye. Uchavaka imba asi haungagarimo. Uchasima munda womuzambiringa asi haungatongotangi kana kudya michero yawo. Nzombe yako ichaurayiwa pamberi pako, asi haungadyi nyama yacho. Mbongoro yako ichatorwa nechisimba kubva kwauri uye haizodzorerwi. Makwai ako achapiwa kuvavengi vako, uye hapana achaanunura. Vanakomana vako navanasikana vako vachapiwa kuno rumwe rudzi, uye meso ako achaneta nokuvatsvaka zuva nezuva, usisina kana simba rokusimudza ruoko. Rudzi rwausingazivi ruchadya zvibereko zvevhu rako nesimba rako, uye uchava nokumanikidzwa kuno utsinye mazuva ose. Zvauchaona zvichakupengesa. Jehovha achakurova mumabvi nomumakumbo namamota anorwadza asingarapiki, achibva pasi petsoka dzako kusvikira pamusoro pomusoro wako. Jehovha achakudzingirai, imi namambo wamakagadza kuti akutongei, kunyika yamusingazivi imi kana madzibaba enyu, ikoko muchandonamata vamwe vamwari, vamwari vamatanda namabwe. Muchava chinhu chinotyisa uye chinhu chinotukwa nokuzvidzwa kundudzi dzose kwamuchadzingirwa naJehovha. Uchadyara mbeu yakawanda mumunda mako asi uchakohwa zvishoma, nokuti zvichaparadzwa nemhashu. Ucharima minda yemizambiringa nokuigadzira, asi haunganwi waini yacho kana kutanha mazambiringa acho, nokuti achadyiwa namakonye. Muchava nemiti yemiorivhi munyika yenyu yose asi haungashandisi mafuta acho, nokuti miorivhi yako ichazuka. Uchabereka vanakomana navanasikana asi haungavachengeti, nokuti vachaenda muutapwa. Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvose zvichadyiwa nemhashu. Mutorwa anogara pakati penyu acharamba achibudirira kupfuura iwe, asi iwe ucharamba uchidzikira pasi pasi. Achakukweretesa, asi iwe haungamukweretesi. Iye achava musoro asi iwe uchava muswe. Kutukwa kwose uku kuchauya pamusoro pako. Vachakutevera vagokubata kusvikira vakuparadza, nokuti hauna kuteerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro nemitemo yake yaakakupai. Ivo vachava chiratidzo nechishamiso kwamuri uye nokuvana venyu nokusingaperi. Nokuti hamuna kushumira Jehovha Mwari wenyu nomufaro nokupembera panguva yokubudirira, naizvozvo munzara nenyota, mukushama nomuurombo hwakaipisisa, muchashandira vavengi vakatumwa naJehovha kuzokurwisai. Achaisa joko resimbi pamutsipa wako kusvikira akuparadza. Jehovha achauyisa rudzi kubva kure kuzokurwisai, kubva kumigumo yenyika, segondo rinobhururuka, rudzi rune mutauro wamusinganzwisisi, rudzi runotyisa kutarisa rusingakudzi vatana kana kunzwira tsitsi vaduku. Vachaparadza zvibereko zvezvipfuwo zvenyu nezvirimwa zveminda yenyu kusvikira maparadzwa. Havangakusiyirii kana zviyo, waini itsva kana mafuta, kunyange mhuru dzemhou dzenyu kana makwayana amakwai enyu kusvikira maparadzwa. Vachakomba maguta ose munyika yenyu yose kusvikira masvingo marefu amunovimba nawo awira pasi. Vachakomba maguta ose ari munyika yenyu yose yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu. Nokuda kwokutambudzwa nomuvengi panguva yaachakukombai, muchadya zvibereko zvezvizvaro zvenyu, nyama yavanakomana navanasikana vamakapiwa naJehovha. Kunyange munhu uya munyoro anonzwisisa pakati penyu haazovi netsitsi kuhama yake chaiyo kana kumukadzi wake waanoda kana kuvana vake vaanoda vapenyu, uye haangapi kune mumwe wavo nyama yevana vake yaari kudya. Ndiyo yoga yaachange asarirwa nayo nokuda kwokutambudzwa kwamuchaitwa nomuvengi wenyu panguva yaachakomba maguta enyu ose. Mukadzi ane unyoro uye anonzwisisa pakati penyu, ane unyoro nokunzwisisa zvokuti haangatsiki pasi norutsoka rwake pakati penyu, achava nomufungo wakaipa kumurume waanoda nokumwanakomana kana mwanasikana wake achangobva kuzvarwa kubva muchizvaro chake uye nevana vaanobereka. Nokuti anenge achida kuzovadya pakavanzika panguva yokukombwa nokutambudzwa kwamuchaitwa nomuvengi wenyu muri mumaguta enyu. Kana mukasachenjerera kutevera mashoko ose omurayiro uyu, akanyorwa mubhuku iri, uye mukasatya zita iri rinobwinya uye rinotyisa, Jehovha achatumira hosha dzinotyisa pamusoro penyu imi nezvizvarwa zvenyu, njodzi namatambudziko asingaperi, nezvirwere zvakaipisisa zvisingaperi. Achauyisa hosha dzose dzokuIjipiti pamusoro penyu, idzo dzamunotya, uye dzichabatirira pamuri. Jehovha achauyisawo pamusoro penyu zvirwere zvamarudzi ose nenjodzi dzisina kunyorwa muBhuku iri roMurayiro, kusvikira maparadzwa. Imi maimbova makawanda senyeredzi dzokudenga muchasara mangova vashoma, nokuti hamuna kuteerera Jehovha Mwari wenyu. Sezvazvakafadza Jehovha kuti imi mubudirire uye muwande, naizvozvo zvichamufadza kukuitirai zvakaipa nokukuparadzai. Muchadzurwa kubva munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu. Jehovha achakuparadzirai pakati pendudzi, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvika kuno rumwe. Ikoko muchanamata vamwe vamwari, vamwari vamatanda namabwe, vamusina kumboziva imi kana madzibaba enyu. Pakati pendudzi idzodzo haungawani zororo, kana nzvimbo yokuisa rutsoka rwako. Ikoko Jehovha achakupa kufunganya, meso akaneta nokutarisira uye nokuora mwoyo. Uchararama upenyu hwako hwakarembera nguva dzose, wakazadzwa nokutya usiku namasikati, usina chokwadi pamusoro poupenyu hwako. Mangwanani muchati, “Dai chete anga ari madekwana!” uye madekwana muchati, “Dai chete anga ari mangwanani!”—nokuda kwokutya kuchazadza mwoyo yenyu nokuda kwezvinhu zvamuchaona nameso enyu. Jehovha achakudzoserai kuIjipiti muri muzvikepe parwendo rwandakati hamufaniri kuzoruonazve. Ikoko muchada kuzvitengesa kuvavengi venyu savarandarume kana varandakadzi, asi hapana angada kukutengai. Aya ndiwo mashoko esungano akarayirwa Mozisi naJehovha kuti aaite navana veIsraeri munyika yeMoabhu, kupamhidzira pamusoro pesungano yaakaita navo paHorebhu. Mozisi akadana vaIsraeri vose akati kwavari: Meso enyu akaona zvose zvakaitwa naJehovha muIjipiti kuna Faro, namachinda ake ose uye nokunyika yake yose. Nameso enyu chaiwo makaona miedzo iya mikuru, nezviratidzo nezvishamiso zviya zvikuru. Asi kusvikira nanhasi Jehovha haana kukupai pfungwa dzokunzwisisa kana meso okuona kana nzeve dzokunzwa. Pamakore makumi mana andakakutungamirirai nomurenje, nguo dzenyu hadzina kusakara, kunyange neshangu dzenyu dzamaiva makapfeka. Hamuna kudya chingwa kana kunwa waini kana zvimwe zvinodhaka. Ndakaita izvi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu. Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakauya kuzotirwisa, asi takavakunda. Takatora nyika yavo tikaipa kuvaRubheni, navaGadhi norudzi rwehafu rwaManase kuti ive nhaka yavo. Chenjerai kuti munyatsotevera mashoko esungano iyi kuitira kuti muzobudirira pazvinhu zvose zvamunoita. Imi mose nhasi makamira pamberi paJehovha Mwari wenyu, vatungamiri venyu navarume vose veIsraeri, pamwe chete navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vanogara pamisasa yenyu vanokutemerai huni dzenyu nokukuchererai mvura. Makamira pano kuti muite sungano naJehovha Mwari wenyu, sungano iyo Jehovha ari kuita nemi nhasi achiisimbisa nemhiko, kuti akusimbisei nhasi sorudzi rwake, kuti ave Mwari wenyu sezvaakavimbisa uye sezvaakapika kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho. Ndiri kuita sungano iyi, nemhiko yacho, kwete nemi chete, imi makamira nesu pano nhasi uno pamberi paJehovha Mwari wedu, asi navayawo vasiri pano nhasi. Imi pachenyu munoziva magariro atakaita muIjipiti uye namapfuuriro atakaita nomunyika dzatakafamba nemadziri parwendo kusvikira tasvika pano. Makaona pakati padzo zvifananidzo nezviumbwa zvinonyangadza zvamatanda namabwe, zvesirivha negoridhe. Muchenjerere kuti parege kuva nomurume kana mukadzi, mhuri kana rudzi pakati penyu nhasi vano mwoyo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wenyu kuti vaende vachindonamata vamwari vendudzi idzodzo; chenjererai kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka muchetura unovava kudaro. Kana munhu akadaro akanzwa mashoko emhiko iyi, anozviropafadza uye naizvozvo agofunga kuti, “Ndichava norugare, kunyange ndikaramba ndichifamba nenzira yangu.” Izvi zvichauyisa njodzi panyika nyoro uye napanyika yakaoma. Jehovha haazombodi kumukanganwira; hasha dzake neshungu dzake zvichapisa pamusoro pomunhu uyo. Kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri kuchawira pamusoro pake, uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pedenga. Jehovha achamunanga nenjodzi iye oga pakati pamarudzi ose eIsraeri, maererano nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri romurayiro. Vana venyu ivo marudzi achazokuteverai uye navatorwa vachauya kubva kunyika dziri kure pavachazoona matambudziko achawira nyika uye nezvirwere zvaicharohwa nazvo naJehovha. Nyika yose inenge ichitsva nokuparadzwa nomunyu nesuferi, pasina zvakadyarwa, pasina zvinomeramo, pasina uswa nemiti zvinokuramo. Zvichaita sokuparadzwa kweSodhomu neGomora kana kuparadzwa kweAdhama neZebhoimu, idzo Jehovha akaparadza mukutsamwa kwake kunotyisa. Ndudzi dzose dzichabvunza dzichiti, “Ko, sei Jehovha akaita izvi kunyika iyi. Sei akatsamwa zvinotyisa kudai?” Zvino mhinduro yacho ichava yokuti, “Nemhaka yokuti vanhu vake vakasiya sungano yaJehovha, iye Mwari wamadzibaba avo, sungano yaakaita navo paakavabudisa kubva muIjipiti. Vakabva vakaenda vakandonamata vamwe vamwari uye vakavapfugamira, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vaakanga asina kuvapa. Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro penyika iyi, zvokuti akauyisa pamusoro payo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri. Mukutsamwa kunotyisa nehasha huru Jehovha akavadzura kubva munyika yavo akavarasira kune imwe nyika sezvazvakaita iye zvino.” Zvinhu zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu, asi zvinhu zvakaratidzwa ndezvedu isu navana vedu nokusingaperi, kuti tigotevera mashoko ose omurayiro uyu. Kana kuropafadzwa nokutukwa uku kwose kwandaisa pamberi penyu kwakuwirai uye mazviisa pamwoyo kwose kwamunoparadzirwa naJehovha Mwari wenyu pakati pendudzi, uye kana iwe navana vako ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako ukamutereera nomwoyo wako wose nomweya wako wose maererano nezvose zvandakurayirai nhasi, ipapo Jehovha Mwari wenyu achakudzorerai pfuma yenyu agokunzwirai tsitsi nokukuunganidzai kubva kundudzi dzose kwaakakuparadzirai. Kunyange dai manga makarasirwa kunyika iri kure kwazvo pasi pedenga, kubva ikoko Jehovha Mwari wenyu achakuunganidzai uye agokudzosai. Achakudzosai kunyika yamadzibaba enyu, uye muchaitora igova yenyu. Achakuitai kuti munyanyobudirira uye muwande kupfuura madzibaba enyu. Jehovha Mwari wenyu achadzingisa mwoyo yenyu nemwoyo yezvizvarwa zvenyu, kuitira kuti mugomuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, mugorarama. Jehovha Mwari wenyu achaisa kutukwa uku kwose pamusoro pavavengi venyu vanokuvengai nokukutambudzai. Muchateererazve Jehovha nokutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi. Ipapo Jehovha Mwari wako achakupfumisa zvikuru mumabasa ose amaoko ako nechibereko chomuviri wako, nezvibereko zvezvipfuwo zvako uye nezvibereko zvevhu rako. Jehovha achafadzwazve newe agokupfumisa, sokufadzwa kwaakaitwa namadzibaba ako, kana ukateerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro yake nemitemo yake yakanyorwa mubhuku iri roMurayiro uye ukadzoka kuna Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose. Zvino zvandiri kukurayirai nhasi hazvina kunyanya kukuomerai kana kuva kure nemi. Hauzi kudenga, zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani achatikwirira kudenga kundoutora agotiparidzira kuti tiuite?” Kana kuti uri mhiri kwegungwa zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani angatiyambukira mhiri kundotitorera kuti atiparidzire kuti tiuite.” Kwete, shoko riri pedyo newe kwazvo; riri mumuromo mako nomumwoyo mako kuti uriite. Tarira, ndaisa pamberi pako nhasi upenyu noupfumi, uye rufu nokuparadzwa. Nokuti ndinokurayira kuti ude Jehovha Mwari wako nhasi, kuti ufambe munzira dzake nguva dzose uye uchengete zvaakarayira, mitemo nemirayiro yake; ipapo uchararama nokuwanda, uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yauri kupinda kuti uitore. Asi kana mwoyo wako ukatsauka uye kana usingateereri, uye kana ukakwezvwa kuti undopfugamira vamwe vamwari nokuvanamata, ndinokuudza nhasi kuti uchaparadzwa zvirokwazvo. Haungararami kwenguva refu munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mupinde mugoitora. Nhasi uno ndinodana denga nenyika kuti zvikupupurirei kuti ndaisa pamberi penyu upenyu nerufu, maropafadzo nokutukwa. Zvino sarudza upenyu, kuitira kuti iwe navana vako mugorarama. Uye ugoda Jehovha Mwari wako, unzwe inzwi rake, nokubatirira paari. Nokuti Jehovha ndiye upenyu hwako, uye achakupa makore mazhinji munyika yaakapika kuti achaipa kumadzibaba enyu Abhurahama, naIsaka naJakobho. Ipapo Mozisi akaenda akandotaura mashoko aya kuvaIsraeri vose achiti: “Zvino ndava namakore zana namakumi maviri uye handichagoni kukutungamirirai. Jehovha akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuyambuka Jorodhani urwu.’ Jehovha Mwari wenyu pachake ndiye achayambuka ari pamberi penyu. Achaparadza ndudzi idzi dzose pamberi penyu, mugotora nyika yavo. Joshua ndiye achayambuka ari pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha. Zvino Jehovha achavaitira ivo zvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, vaakaparadza pamwe chete nenyika yavo. Jehovha achavaisa kwamuri, uye munofanira kuvaitira zvose zvandakakurayirai. Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.” Ipapo Mozisi akadana Joshua akati kwaari, pamberi pavaIsraeri vose, “Simba utsunge mwoyo, nokuti unofanira kuenda navanhu ava munyika iyo Jehovha akapika kumadzitateguru avo kuti achavapa, uye unofanira kuigovera kwavari senhaka. Jehovha pachake achakutungamirira uye achava newe; haangakusiyi kana kukurasa. Usatya kana kuora mwoyo.” Saka Mozisi akanyora murayiro uyu akaupa kuvaprista, vanakomana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, uye nokuvakuru vose veIsraeri. Ipapo Mozisi akavarayira, akati, “Panopera makore manomwe nguva dzose, mugore rokukanganwira zvikwereti, panguva yoMutambo waMatumba, vaIsraeri vose pavanouya kuzozviratidza pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza, muchaverenga murayiro uyu pamberi pavo vachinzwa. Unganidzai vanhu, varume, vakadzi navana uye navatorwa vagere mumaguta enyu, kuti vanzwe uye vazive kutya Jehovha Mwari wenyu nokutevera zvakanaka mashoko ose omurayiro uyu. Vana vavo, vasingazivi murayiro uyu, vanofanira kuunzwa uye vagodzidza kutya Jehovha Mwari wenyu panguva yose yamuchagara munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino zuva rokufa kwako rava pedyo. Dana Joshua mugondomira muTende Rokusangana kuti ndimurayire.” Saka Mozisi naJoshua vakauya vakazviratidza paTende Rokusangana. Ipapo Jehovha akazviratidza paTende mushongwe yegore, uye gore rikamira pamusuo weTende. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, “Uchavata namadzibaba ako, uye vanhu ava, zvino zvino, vachaita ufeve navamwari vavatorwa venyika yavari kupinda. Vachandirasa uye vachaputsa sungano yandakaita navo. Pazuva iroro ndichavatsamwira ndigovarasa: ndichavanza chiso changu kubva kwavari, uye vachaparadzwa. Njodzi namatambudziko mazhinji zvichavawira uye pazuva iro vachabvunza vachiti, ‘Ko, hatina kuwirwa nenjodzi idzi nokuti Mwari wedu haasi pakati pedu here?’ Zvino ndichaviga chiso changu zvirokwazvo nezuva iro nokuda kwezvakaipa zvavo zvose zvokutsaukira kuna vamwe vamwari. “Zvino zvinyorerei rwiyo urwu mugorudzidzisa kuvaIsraeri uye mugovaita kuti varuimbe, kuitira kuti chigova chapupu kwandiri pamusoro pavo. Kana ndichinge ndavauyisa munyika inoerera mukaka nouchi, nyika iyo yandakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo, uye kana vachinge vadya vaguta uye vakora, vachatsaukira kuna vamwe vamwari vagovanamata, vachindiramba uye vachiputsa sungano yangu. Zvino kana njodzi namatambudziko mazhinji zvavawira, rwiyo urwu ruchavapupurira pamusoro pavo, nokuti haruzombokanganwikwi nezvizvarwa zvavo. Ini ndinoziva zvavachazoita, kunyange ndisati ndavauyisa munyika yandakavavimbisa nemhiko.” Saka Mozisi akanyora rwiyo urwu nomusi uyu uye akarudzidzisa kuvaIsraeri. Jehovha akapa murayiro uyu kuna Joshua mwanakomana waNuni akati, “Simba utsunge mwoyo, nokuti uchauyisa vaIsraeri munyika yandakavavimbisa nemhiko, uye ini pachangu ndichava newe.” Mushure mokunge Mozisi apedza kunyora mubhuku mashoko omurayiro uyu kubva pokutanga kusvikira pokupedzisira, akapa murayiro uyu kuvaRevhi vaitakura areka yesungano yaJehovha achiti, “Torai Bhuku iri roMurayiro muriise parutivi peareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu. Ipapo richagara sechapupu pamusoro penyu. Nokuti ndinoziva kuti vanomukira sei uye kuti mitsipa yavo mikukutu sei. Kana maimukira Jehovha ndichiri mupenyu uye ndiri pakati penyu, ko, kuzoti ndikange ndafa muchamumukira zvakadii! Ndiunganidzirei vakuru vose vamarudzi enyu namachinda enyu ose, kuti nditaure kwavari mashoko vachinzwa uye ndigodana denga nenyika zvivapupurire. Nokuti ndinoziva kuti mushure mokunge ndafa imi muchazvishatisa kwazvo uye muchatsauka kubva panzira yandakakurayirai. Pamazuva anouya, njodzi ichakuwirai nokuti muchaita zvakaipa pamberi paJehovha muchimutsamwisa nokuda kwezvakaitwa namaoko enyu.” Zvino Mozisi akataura mashoko orwiyo urwu kubva kumavambo kusvikira kumagumo, ungano yose yeIsraeri ichinzwa: Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura; inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu. Regai dzidziso yangu inaye semvura uye mashoko angu ayerere sedova, sokupfunha pauswa hunyoro, semvura zhinji papfumvudza nyoro. Ndichaparidza zita raJehovha. Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu! Iye ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama uye ndowezvokwadi. Vakaita zvakaipa kwaari; vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake, asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama, Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here, imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera? Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here, akakuitai nokukuumbai? Rangarira mazuva akare; ufunge marudzi akare kare. Ubvunze baba vako, uye vachakuudza, vakuru vako vachakutsanangurira. Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka, nguva yaakakamura marudzi ose, akaisira vanhu miganhu, zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri. Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake, Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa. Akamuwana munyika yomurenje, musina chinhu, munotyisa. Akamudzivirira uye akamuchengeta; akamuchengetedza semboni yeziso rake, segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro. Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye. Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye. Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo, uye namafuta akabva padombo romusarasara, noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa, namakondohwe akaisvonaka eBhashani, netsanga dzakanakisisa dzegorosi. Akanwa furo reropa ramazambiringa. Jeshuruni akazokora uye akapfura; aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta. Akasiya Mwari akamuita uye akaramba Ibwe, Muponesi wake. Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza. Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu. Wakasiya Ibwe rakakubereka; wakakanganwa Mwari akakubereka. Jehovha akaona izvi akavaramba nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake. “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro, “tigoona kuti magumo avo achazodii; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka. Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari, vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo. Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu; ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi. Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo. “Ndichatutira njodzi pamusoro pavo uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura. Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo, nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa; ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari, uturu hwenyoka dzomuguruva. Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose; mudzimba dzavo vachagara vachivhu-ndutswa. Majaya nemhandara vachaparadzwa, vacheche navatana vachaparadzwawo. Ndakati ndichavaparadzira ndigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi, asi ndakazotya kutuka kwomuvengi, kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti, ‘Ruoko rwedu rwatikundisa; haazi Jehovha akaita izvi zvose.’ ” Nokuti ivo rudzi rusina mano, havagoni kunzvera pakati pavo. Dai chete vakanga vakachenjera uye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei! Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu, kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei, kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa, kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo? Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu, sezvinofungwa navavengi vedu. Nokuti mazambiringa avo anobva pamizambiringa yeSodhomu nokuminda yeGomora. Mazambiringa avo azere nomuchetura, uye masumbu avo azere nokuvava. Waini yavo uturu hwenyoka, uturu hwakaipisisa hwemhakure. “Ko, handina kuchengeta izvi here, uye ndikazvipfigira mumatura angu? Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva. Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka; zuva renjodzi yavo rava pedyo uye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.” Jehovha achatonga vanhu vake uye achanzwira tsitsi varanda vake, paanoona simba ravo rapera uye pasina asara, akatapwa kana asina. Iye achati, “Ko, zvino vamwari vavo varipiko, dombo ravakahwanda mariri, vamwari vakadya mafuta ezvibayiro zvavo nokunwa waini yezvipiriso zvavo zvinonwiwa? Ngavasimuke kuti vakubatsirei! Ngavakupei pokuvanda! “Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye! Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, ndinouraya uye ndinopa upenyu, ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu. Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti: Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi, kana ndichirodza munondo wangu unopenya uye ruoko rwangu rwaubata mukutonga, ndichatsiva kuvavengi vangu uye ndigotsiva vaya vanondivenga. Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo, uye munondo wangu uchadya nyama: ropa revakaurayiwa nevatapwa, nemisoro yavatungamiriri vavavengi vangu.” Farai, imi ndudzi, navanhu vake, nokuti achatsiva ropa ravaranda vake; achatsiva kuvavengi vake agoyananisira nyika yake navanhu vake. Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa. Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose, akati kwavari, “Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu. Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.” Pazuva rimwe chetero Jehovha akataura kuna Mozisi akati, “Kwira kumakomo eAbharimu uende mugomo reNebho muMoabhu, riri mhiri kweJeriko, ugoona nyika yeKenani, nyika yandiri kupa vaIsraeri kuti ive yavo. Ipapo pagomo pauchakwira ndipo pauchafira uye ugova pamwe navanhu vako, sokufa kwakaita mukoma wako Aroni akafira paGomo reHori uye akava navanhu vake. Izvi zvakaitika nokuti imi muri vaviri hamuna kutendeka kwandiri pamberi pavaIsraeri pamvura yeMeribha Kadheshi murenje reZini uye nokuti hamuna kusimudzira utsvene hwangu pakati pavaIsraeri. Naizvozvo, uchaona nyika iyi uri chinhambwe; asi haungapindi munyika yandiri kupa kuvanhu veIsraeri.” Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa. Akati: “Jehovha akabva kuSinai akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri; akapenya kubva paGomo reParani. Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi, kubva kumawere amakomo ake. Zvirokwazvo ndimi makada vanhu; vatsvene vose vari muruoko rwenyu. Patsoka dzenyu vose vanopfugama, uye kubva kwamuri vanogamuchira kurayirwa, murayiro watakapiwa naMozisi, nhaka yeungano yaJakobho. Akanga ari mambo weJeshuruni vatungamiriri vavanhu pavakanga vakaungana, pamwe chete namarudzi aIsraeri. “Rubheni ngaararame uye arege kufa, uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.” Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha: “Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha; muuyisei kuvanhu vake. Namaoko ake acharwira mhaka yake. Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!” Pamusoro paRevhi akati, “Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndezvomunhu wamunoda. Makamuedza paMasa; makarwa naye pamvura dzeMeribha. Iye akati pamusoro pababa namai vake, ‘Handivakudzi.’ Haana kurangarira hama dzake kana kuziva vana vake, asi akava mutariri weshoko renyu akachengetedza sungano yenyu. Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobho uye nemirayiro kuna Israeri. Achapa zvinonhuwira pamberi penyu nezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu. Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha, mugofadzwa namabasa amaoko ake. Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira: rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.” Pamusoro paBenjamini akati, “Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari, nokuti anomudzivirira zuva rose, uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.” Pamusoro paJosefa akati, “Jehovha ngaaropafadze nyika yake nedova rinokosha rokudenga kumusoro nemvura zhinji dzakadzika dziri pasi; nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuva uye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi; nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayo uye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta. Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa, pahuma yomuchinda pakati pehama dzake. Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe; nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati. Nadzo achatunga ndudzi, kunyange vaya vari kumagumo enyika. Ava ndivo zviuru zvaManase.” Pamusoro paZebhuruni, pakubata kwako, “Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako, newe Isakari mumatende ako. Vachadanira vanhu kumakomo uye ikoko vagopa zvibayiro zvokururama; vachaguta nezvizhinji zvamakungwa, nepfuma yakavigwa mujecha.” Pamusoro paGadhi akati, “Ngaaropafadzwe iye anokurisa nyika yaGadhi! Gadhi anogaramo seshumba, achibvambura ruoko kana musoro. Akazvisarudzira nyika yakanakisisa; mugove womutungamiri waakachengeterwa iye. Vakuru vavanhu pavakaungana, iye akaita kuda kwaJehovha kwakarurama, uye nokutonga kwake pamusoro paIsraeri.” Pamusoro paDhani akati, “Dhani mwana weshumba. anokwakuka achibva muBhashani.” Pamusoro paNafutari akati, “Nafutari azere nenyasha dzaJehovha uye azere kuropafadza kwake: achatora nhaka nechezasi kugungwa.” Pamusoro paAsheri akati, “Akaropafadzwa kupfuura vanakomana vose ndiAsheri: ngaadikanwe nehama dzake, uye ngaashambe tsoka dzake mumafuta. Zvipfigiso zvemasuo ako zvichava zvesimbi nendarira, uye simba rako richafanana namazuva ako. “Hapana akafanana naMwari waJeshuruni, iye anotasva denga kuti akubatsire uye namakore muumambo hwake. Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’ Naizvozvo Israeri achagara murugare oga; tsime raJakobho rakachengetedzeka munyika yezviyo newaini itsva, ndiko kunodonhedzerwa dova nedenga. Wakaropafadzwa, iwe Israeri! Ndiani akafanana newe, rudzi rwakaponeswa naJehovha? Ndiye nhoo nomubatsiri wako uye nomunondo wako unobwinya. Vavengi vako vachazviisa pasi pako, uye iwe uchatsikatsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.” Ipapo Mozisi akakwira mugomo reNebho kubva pamapani aMoabhu kusvika pamusoro pePisiga, mhiri uchibva kuJeriko. Ipapo Jehovha akamuratidza nyika yose, kubva kuGireadhi kusvika kuDhani. Nafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha zvichibva nechokugungwa rokumavirira, Negevhi uye dunhu rose zvichibvira kuMupata weJeriko. Neguta remichindwe, kusvika kuZoari. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Iyi ndiyo nyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho pandakati, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ Ndakuita kuti uione nameso ako, asi haungayambuki mhiri kuti upinde mairi.” Zvino Mozisi muranda waJehovha akafira ipapo munyika yaMoabhu, sezvakanga zvataurwa naJehovha. Akamuviga muMoabhu, mumipata wakatarisana neBheti Peori, kusvikira nanhasi hapana anoziva pane guva rake. Mozisi akanga ava namakore zana namakumi maviri panguva yaakafa, asi kunyange zvakadaro, meso ake akanga achigere kuonera madzerere uye simba rake rakanga richigere kuderera. VaIsraeri vakachema Mozisi pamapani eMoabhu kwamazuva makumi matatu, kusvikira mazuva okuchema nokuungudza apera. Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomweya wouchenjeri nokuti Mozisi akanga aisa maoko ake pamusoro pake. Saka naizvozvo vaIsraeri vakamuteerera uye vakaita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Kubva ipapo hakuna kuzomukazve muprofita muIsraeri akafanana naMozisi, uyo akazivana naJehovha chiso nechiso, uyo akaita zviratidzo nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite muIjipiti, kuna Faro nokumachinda ake nokunyika yake yose. Nokuti hapanazve mumwe akaratidza simba guru kana akaitazve mabasa anotyisa seayo akaitwa naMozisi pamberi pavaIsraeri vose. Zvino shure kwokufa kwaMozisi muranda waJehovha, Jehovha akataura naJoshua mwanakomana waNuni, muranda waMozisi achiti, “Mozisi muranda wangu afa. Zvino iwe navanhu ava chigadzirirai kuyambuka rwizi rweJorodhani mupinde munyika yandava kupa vana vaIsraeri. Ndakupai nzvimbo yose yose yamuchatsika netsoka dzenyu, sezvandakavimbisa Mozisi. Nyika yenyu ichabva kugwenga ichisvika kuRebhanoni, uye ichabva kurwizi rukuru, Yufuratesi, nenyika yose yavaHiti, ichisvika kuGungwa Guru riri kumavirazuva. Hakuna achagona kurwisana newe kwamazuva ose oupenyu hwako. Sezvandaiva naMozisi, ndichava newe; handizokusiyi kana kukurasa. “Simba utsunge mwoyo, nokuti uchatungamirira vanhu ava kuti vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndivape senhaka yavo. Simba ushinge kwazvo. Chenjerera kuti uteerere mirayiro yose yawakapiwa naMozisi muranda wangu; usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire kwose kwose kwaunoenda. Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo. Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda.” Ipapo Joshua akarayira vatungamiri vavanhu achiti, “Pindai mumusasa mutaurire vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu. Mukati mamazuva matatu muchayambuka Jorodhani urwu kuti mupinde mutore nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu.’ ” Uye Joshua akati kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nokurudzi rwehafu rwaManase, “Rangarirai shoko ramakapiwa naMozisi muranda waJehovha achiti: ‘Jehovha Mwari wenyu anokupai zororo uye akupai nyika iyi.’ Vakadzi venyu, vana venyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara munyika yamakapiwa naMozisi kudivi rino reJorodhani, asi varume venyu vose vehondo, vakabata zvombo, vanofanira kuyambukira mhiri mberi kwehama dzenyu. Munofanira kubatsira hama dzenyu kusvikira Jehovha avapa zororo, sezvaakakuitirai, uye kusvikira vatorawo nyika yavari kupiwa naJehovha Mwari wavo. Mushure maizvozvo, munogona kudzokera munogara munyika yenyu, yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha iri kumabvazuva kweJorodhani.” Ipapo vakapindura Joshua vachiti, “Chipi nechipi chamuchatirayira tichaita, uye kwose kwose kwamuchatituma tichaenda. Tichakuteererai zvizere sokuteerera kwatakaita Mozisi. Chete, Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi sezvaaiva naMozisi. Ani naani achamukira shoko renyu uye asingateereri mashoko enyu, kana chipi nechipi chamungavarayira, achaurayiwa. Asi simbai mutsunge mwoyo!” Zvino Joshua mwanakomana waNuni akatuma vashori vaviri muchivande kubva kuShitimu. Akati, “Endai munotarisa nyika, kunyanya Jeriko.” Naizvozvo vakaenda vakandopinda mumba mechifeve chainzi Rahabhi vakagaramo. Zvino mambo weJeriko akaudzwa kuti, “Tarirai! Kune vamwe vaIsraeri vauya muno manheru anhasi kuzoshora nyika.” Naizvozvo mambo weJeriko akatumira shoko kuna Rahabhi achiti, “Budisa varume vauya kwauri vakapinda mumba mako, nokuti vauya kuzoshora nyika yose.” Asi mukadzi uyu akanga atora varume vaviri vaya akavavanza. Iye ndokuti, “Ichokwadi, varume ava, vakauya kwandiri, asi handina kuziva kuti vakanga vabvepi. Zvino kwati zvarara yava nguva yokupfiga suo reguta, varume ava vakaenda. Handizivi kuti vakaenda vakanangepi. Vateverei nokukurumidza, pamwe mungangovabata.” (Asi iye akanga avatora ndokuvaisa pamusoro pemba ndokuvavanza netutanda twamasosoori twaakanga akaunganidza pamusoro pemba.) Naizvozvo varume vakasimuka votevera vashori nenzira yainanga kumazambuko eJorodhani, zvino vaitevera vachangobuda, suo rakabva rapfigwa. Vashori vasati varara, iye akakwira padenga remba, ndokuti kwavari, “Ndinozviziva kuti Jehovha akupai nyika ino, uye kuti kutyiwa kwenyu kukuru kuri pamusoro pedu, zvokuti vose vanogara munyika muno vari kubvunda nokutya nokuda kwenyu. Takanzwa maomeserwo akaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naJehovha nokuda kwenyu pamakabuda muIjipiti, uye zvamakaita kuna Sihoni naOgi, madzimambo maviri avaAmori kumabvazuva kweJorodhani, avo vamakaparadza zvachose. Patakazvinzwa mwoyo yedu yakarukutika, uye hapana akasara nokutsunga maari nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumusoro kudenga napasi panyika. Zvino ndapota, pikai kwandiri naJehovha kuti muchaitira mhuri yangu tsitsi, nokuti ini ndakuitiraiwo tsitsi. Ndipei chiratidzo chechokwadi chakasimba chokuti muchararamisa baba vangu naamai vangu, hanzvadzi dzangu namadzikoma angu, nemhuri dzavo dzose, uye kuti muchatiponesa kubva parufu.” Ipapo varume vaya vakamuvimbisa vachiti, “Isu ngatife pachinzvimbo chenyu. Kana ukasareva zvatiri kuita tichakubata zvakanaka nokutendeka kana Jehovha atipa nyika ino.” Saka akavadzikisa pasi netambo napawindo, nokuti imba yaaigara yaiva mumasvingo eguta. Zvino akati kwavari, “Endai kumakomo kuitira kuti vateveri varege kukuwanai. Muvande ikoko kwamazuva matatu kusvikira vadzoka, mozoenda henyu nenzira yenyu.” Varume vaya ndokuti kwaari, “Mhiko yawatipikisa iyi haizotisungi kunze kwokuti, patinopinda munyika, uchange wasungirira tambo tsvuku iyi pawindo rawatidzikisa naro, uye kunze kwokunge wapinza baba vako namai vako, hanzvadzi dzako nemhuri yako yose mumba mako. Ani naani anobuda mumba mako achienda panze, ropa rake richava pamusoro wake, isu hatizova nemhosva. Asi wose anenge ari mumba pamwe chete newe, ropa rake richava pamisoro yedu kana pakangowana anomubata chete. Asi ukangoreva zvatiri kuita, tichasunungurwa pamhiko yawatipikisa.” Iye akapindura akati, “Ngazviitwe sokutaura kwenyu.” Naizvozvo akavati ivo vaende ivo ndokuenda. Ipapo akabva asungirira tambo tsvuku pawindo. Pavakabva, vakaenda mumakomo vakagaramo kwamazuva matatu, kusvikira vateveri vatsvaka nzira yose vakavashaiwa vakadzoka. Ipapo varume vaviri vaya vakatanga kudzokera. Vakadzika kubva muzvikomo ndokuyambuka rwizi vakasvika kuna Joshua mwanakomana waNuni vakamuudza zvose zvakanga zvaitika kwavari. Vakati kuna Joshua, “Zvirokwazvo Jehovha aisa nyika yose mumaoko edu; vanhu vose vari kugwagwadza nokutitya.” Mangwanani-ngwanani Joshua navaIsraeri vose vakasimuka kubva paShitimu vakaenda kuJorodhani, pavakavaka misasa vasati vayambukira mhiri. Shure kwamazuva matatu vatungamiri vavanhu vakapinda mumisasa, vachirayira vanhu vachiti, “Pamunoona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navaprista, vaRevhi, voitakura, munofanira kubva panzvimbo dzenyu moitevera. Ipapo muchaziva nzira yamunofanira kuenda nayo, nokuti hamusati mambofamba nenzira iyi. Asi munofanira kusiya nzvimbo inosvika makubhiti zviuru zviviria pakati penyu neareka. Regai kuswedera pedyo nayo.” Zvino Joshua akati kuvanhu, “Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha achaita zvinhu zvinoshamisa pakati penyu.” Joshua akati kuvaprista, “Simudzai areka yesungano mutungamirire vanhu.” Naizvozvo vakaisimudza vakatungamirira vanhu. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndichatanga kukusimudzira pamberi pavaIsraeri vose, kuitira kuti vazive kuti ndinewe sezvandaiva naMozisi. Taurira vaprista vanotakura areka yesungano uti: ‘Kana masvika panotangira mvura yeJorodhani, munofanira kupinda momira muJorodhani.’ ” Joshua akati kuvaIsraeri, “Uyai pano muteerere mashoko aJehovha Mwari wenyu. Ichi ndicho chinhu chamuchaziva nacho kuti Mwari wenyu mupenyu ari pakati penyu uye kuti zvirokwazvo achadzinga vaKenani mberi kwenyu, navaHiti, navaPerizi, navaGirigashi, navaAmoni navaJebhusi. Tarirai, areka yesungano yaShe wenyika yose ichakutungamirirai pakuyambuka Jorodhani. Naizvozvo, sarudzai varume gumi navaviri kubva kumarudzi avaIsraeri, mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe. Uye vaprista vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose, pavanongotsika netsoka dzavo muJorodhani, mvura yarwo inoerera ichibva kumusoro ichamira yoita murwi.” Naizvozvo vanhu pavakasimuka kubva pamisasa kuti vayambuke Jorodhani, vaprista vakanga vakatakura areka yesungano vakavatungamirira. Zvino Jorodhani runogara ruzere nguva yose yokukohwa. Asi vaprista vakanga vakatakura areka pavakangosvika paJorodhani tsoka dzavo dzichitsika kumucheto kwemvura, mvura yaibva kumusoro yakabva yamira kuerera. Yakaungana ikaita murwi iri kure chaizvo, paguta rinonzi Adhama pedyo neZaretani, mvura yaiererawo ichidzika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu) yakagurwa zvachose. Naizvozvo vanhu vakayambuka mhiri kwakatarisana neJeriko. Vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pavhu rakaoma pakati peJorodhani, vaIsraeri vose pavaipfuura, kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka napavhu rakaoma. Rudzi rwose parwakapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akati kuna Joshua, “Sarudza varume gumi navaviri kubva pakati pavanhu, mumwe chete parudzi rumwe norumwe, Ugovaudza kuti vatore mabwe gumi namaviri kubva pakati peJorodhani panga pakamira vaprista chaipo mugoatakura mugoaisa pamunorara nhasi manheru.” Saka Joshua akadaidza varume gumi navaviri vaakanga asarudza kubva kuvaIsraeri, mumwe chete kubva parudzi rumwe norumwe, Akati kwavari, “Endai pamberi peareka yaJehovha mupinde pakati peJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutakura dombo pafudzi pake zvichienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri, kuti ave chiratidzo pakati penyu. Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’ muvataurire kuti mvura yeJorodhani yaiyerera yakaganhurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha. Pavakayambuka Jorodhani, mvura yeJorodhani yakaganhurwa. Matombo aya anofanira kuva chirangaridzo kuvanhu veIsraeri nokusingaperi.” Saka vaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naJoshua. Vakatora matombo gumi namaviri kubva pakati peJorodhani, aienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri, sezvakanga zvataurirwa Joshua naJehovha; vakaatakura vakaenda nawo kumisasa yavo kwavakanoaisa pasi. Joshua akamisa matombo gumi namaviri akanga ari pakati peJorodhani pakanga pakamira vaprista vakanga vakatakura areka yesungano. Uye achiripo nanhasi uno. Vaprista vakanga vakatakura areka vakaramba vakamira pakati peJorodhani kusvikira zvose zvakanga zvarayirwa Joshua naJehovha zvaitwa navanhu, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Joshua naMozisi. Vanhu vakakurumidza kuyambuka uye vose vachangoyambuka, areka yaJehovha navaprista vakayambukawo vanhu vakavatarisa. Varume vokwaRubheni nevokwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakayambuka, vakashonga nhumbi dzokurwa, pamberi pavaIsraeri, sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMozisi. Vanenge zviuru makumi mana vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, vakayambukira mhiri pamberi paJehovha vakaenda kumapani eJeriko kundorwa. Pazuva iroro Jehovha akasimudzira Joshua pamberi pavaIsraeri vose; vakamuremekedza mazuva oupenyu hwake ose sokuremekedza kwavaiita Mozisi. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Rayira vaprista vakatakura areka yeChipupuriro kuti vabude kubva muJorodhani.” Saka Joshua akarayira vaprista achiti, “Budai muJorodhani.” Zvino vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vachangobuda kubva pakati peJorodhani, tsoka dzavo dzichangotsika ivhu rakaoma, mvura yeJorodhani yakadzokera panzvimbo yayo ikazara kusvika nokumahombekombe ose. Pazuva regumi romwedzi wokutanga vanhu vakabuda kubva muJorodhani vakavaka misasa paGirigari pamuganhu wokumabvazuva eJeriko. Zvino Joshua akamisa matombo gumi namaviri paGirigari avakanga vatora kubva muJorodhani. Akati kuvaIsraeri, “Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza madzibaba avo vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’ muvataurire kuti, ‘Israeri yakayambuka Jorodhani pavhu rakaoma.’ Nokuti Jehovha Mwari wenyu akaomesa Jorodhani pamberi penyu kusvikira mayambuka. Jehovha Mwari wenyu akaita kuJorodhani sezvaakaita kuGungwa Dzvuku paakariomesa pamberi pedu kusvikira tayambuka. Akaita izvi kuitira kuti ndudzi dzose dzapanyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha rune simba uye kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.” Zvino madzimambo ose avaAmoni aigara kumavirazuva eJorodhani namadzimambo ose avaKenani vaigara pedyo negungwa vakanzwa kuti Jehovha akanga aomesa Jorodhani pamberi pavaIsraeri kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakarukutika vakasazova nokushinga nokuda kwavaIsraeri. Panguva iyoyo Jehovha akataura naJoshua akati, “Gadzira mapanga amatombo anopinza ugodzingisa vaIsraeri zvakare.” Naizvozvo Joshua akagadzira mapanga amatombo akadzingisa vaIsraeri paGibhea Hararoti (chikomo chezvikanda zvepamberi). Joshua akavadzingisa nokuda kwechikonzero ichi: Varume vose vakabuda muIjipiti, varume vezera rehondo, vakafira munzira mugwenga mushure mokubuda muIjipiti. Vanhu vose vakabuda vakanga vadzingiswa asi vose vakaberekerwa mugwenga vachibva kuIjipiti vakanga vasina. VaIsraeri vakanga vafamba mugwenga kwamakore makumi mana kusvikira varume vose vaiva vezera rehondo pavakabuda muIjipiti vafa, nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha. Nokuti Jehovha akanga apika kwavari kuti havaizoona nyika iyo yaakanga avimbisa madzitateguru avo kuti achatipa, nyika inoerera mukaka nouchi. Zvino akasimudza vanakomana vavo pachinzvimbo chavo, uye ivava ndivo vakanga vasati vadzingiswa naJoshua. Vakanga vasati vadzingiswa nokuti havana kunge vadzingiswa munzira. Shure kwokunge rudzi rwose rwadzingiswa, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndabvisa kuzvidzwa kweIjipiti pamuri.” Saka nzvimbo iyoyo yakanzi Girigari, kusvikira nanhasi. Madekwana ezuva regumi namana romwedzi, vaIsraeri vari pamisasa paGirigari pamapani eJeriko, vakapemberera Pasika. Zuva raitevera shure kwePasika, musi wacho chaiwo, vakadya zvimwe zvezvibereko zvenyika iyoyo: chingwa chisina mbiriso nezviyo zvakakangwa. Mana yakabva yaguma musi wakatevera shure kwokudya zvokudya zvenyika iyoyo; vaIsraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore iroro. Zvino Joshua akati ava pedyo neJeriko, akasimudza meso ake akaona murume amire pamberi pake akabata munondo wakavhomorwa muruoko rwake. Joshua akaenda kwaari akabvunza achiti, “Uri mumwe wedu here kana wavavengi vedu?” Iye akapindura achiti, “Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha.” Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake akanamata, uye akamubvunza achiti, “Ishe wangu mune shoko reiko kumuranda wenyu?” Mukuru wehondo yaJehovha akapindura achiti, “Bvisa shangu dzako mutsoka dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.” Joshua akaita saizvozvo. Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa zvakasimba kwazvo nokuda kwavaIsraeri. Hapana akabuda kunze uye hapana akapinda mukati. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Tarira, ndaisa Jeriko mumaoko ako, pamwe chete namambo waro navarume varo vehondo. Fambai mutenderere guta kamwe chete pamwe navarume vose vehondo. Muite izvi kwamazuva matanhatu. Ngapave navaprista vanomwe vanotakura hwamanda dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka. Pazuva rechinomwe fambai muchitenderera guta kanomwe, vaprista vachiridza hwamanda. Kana mukazovanzwa varidza hwamanda kwenguva refu, vanhu vose vanofanira kudanidzira zvikuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka, vanhu vagopinda, mumwe nomumwe pakanangana naye.” Saka Joshua mwanakomana waNuni akadana vaprista akati kwavari, “Takurai areka yesungano yaJehovha uye vaprista vanomwe ngavatakure hwamanda pamberi pavo.” Akarayira vanhu akati, “Endai mberi! Fambai muchipoteredza guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vaende mberi kweareka yaJehovha.” Joshua paakapedza kutaura navanhu, vaprista vanomwe vakatakura hwamanda nomwe pamberi paJehovha vakaenda pamberi, vachiridza hwamanda dzavo, areka yesungano yaJehovha ikavatevera. Vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakafamba mberi kwavaprista vairidza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka. Nguva yose iyi hwamanda dzairira. Asi Joshua akanga arayira vanhu achiti, “Musadanidzira, musasimudzira manzwi enyu, musamboti bufu kusvikira zuva randinokuudzai kuti mudanidzire, ipapo ndipo pamunozodanidzira!” Naizvozvo akarayira kuti areka yaJehovha itakurwe ipoteredze guta, iripoteredze kamwe chete. Ipapo vanhu vakadzokera kumisasa vakararako. Joshua akamuka rungwanangwana zuva raitevera vaprista ndokutakura areka yaJehovha. Vaprista vanomwe vakatakura hwamanda nomwe vakaenda pamberi, vakafamba pamberi peareka yaJehovha vachiridza hwamanda. Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira uye varindi veshure vakatevera areka yaJehovha, hwamanda dzichingoridzwa. Naizvozvo pazuva rechipiri vakafamba vachipoteredza guta kamwe chete vakadzokera kumisasa. Vakaita izvi kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe, vakamuka mambakwedza vakafamba vachipoteredza guta kanomwe nenzira imwe chete, asi musi uyu vakapoterera guta kanomwe. Panguva yechinomwe, vaprista pavakaridzisa hwamanda kwenguva refu, Joshua akarayira vanhu achiti, “Danidzirai! Nokuti Jehovha akupai guta! Guta nezvose zviri mariri rinofanira kupiwa kuna Jehovha. Asi Rahabhi chifeve bedzi navose vaainavo mumba make ndivo vachasiyiwa, nokuti akavanza vashori vatakatuma. Asi imi musaswedera pazvinhu zvakatukwa, kuti murege kuzviunzira kuparara, nokutora kana chimwe chazvo. Dzimwe nguva mungaunza kuparara pamusasa weIsraeri mukaipinza padambudziko. Sirivha yose negoridhe nemidziyo yendarira neyesimbi zvakatsaurirwa Jehovha uye zvinofanira kuiswa munochengeterwa pfuma yake.” Hwamanda padzakarira, vanhu vakadanidzira, uye pakurira kwehwamanda, vanhu pavakadanidzira zvikuru, rusvingo rwakakoromoka; naizvozvo murume mumwe nomumwe akamhanya achipinda napakanga pakanangana naye, vachibva vatora guta. Vakapa guta kuna Jehovha kuti riparadzwe nomunondo, chipi nechipi chairarama mariri, varume navakadzi, vaduku navakuru, mombe, makwai nembongoro. Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vashora nyika, “Pindai mumba mechifeve mumubudise iye navose vokwake, sezvamakapika kwaari.” Naizvozvo majaya akanga ashora akapindamo akabudisa Rahabhi, baba vake namai vake nehanzvadzi dzake navose vokwake. Vakabudisa mhuri yose vakavaisa kunze kwomusasa weIsraeri. Ipapo vakabva vapisa guta rose nazvose zvaiva mariri, asi vakaisa sirivha negoridhe nemidziyo yendarira neyesimbi munochengeterwa pfuma yemba yaJehovha. Asi Joshua akasiya Rahabhi chifeve, nemhuri yake navose vokwake, nokuti akanga avanza varume vakatumwa naJoshua savashori kuJeriko, uye agere pakati pavaIsraeri nanhasi uno. Panguva iyoyo Joshua akareva mhiko iyi achiti, “Ngaatukwe pamberi paJehovha munhu achazoedza kuvakazve guta iri Jeriko: “Acharasikirwa nomwanakomana wake wedangwe paachaisa nheyo dzaro; acharasikirwa negotwe rake paachamisa masuo aro.” Naizvozvo Jehovha akava naJoshua, mbiri yake ikapararira nenyika yose. Asi vaIsraeri vakaita zvisina kutendeka pamusoro pezvinhu zvakatukwa; Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa. Naizvozvo hasha dzaJehovha dzakamukira vaIsraeri. Zvino Joshua akatuma vanhu kubva Jeriko kuenda kuAi, iri pedyo neBheti Avheni kumabudazuva kweBheteri, akavaudza kuti, “Endai munoshora nzvimbo iyi.” Naizvozvo varume vakaenda vakanoshora Ai. Pavakadzoka kuna Joshua, vakati, “Hazvifaniri kuti vanhu vose vaende kundorwa neAi. Tumirai varume zviuru zviviri kana zvitatu kuti vaitore, mugorega kunetsa vanhu vose ava, nokuti ikoko kuna vanhu vashomanana chete.” Naizvozvo kwakaenda varume zviuri zvitatu; asi vakamhanyiswa zvakaipisisa navarume veAi, avo vakauraya vaIsraeri makumi matatu navatanhatu vavo. Vakavadzinganisa kubva pasuo reguta kusvikira kuShebharimu vakavaurayira pamawere, ipapo mwoyo yavanhu yakanyongodeka ikaita semvura. Zvino Joshua akabvarura nguo dzake akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha akaramba aripo kusvikira madekwana. Vakuru vavaIsraeri vakaitawo saizvozvo, vakadira guruva pamisoro yavo. Zvino Joshua akati, “Haiwa! Ishe Jehovha, makamboyambutsirei vanhu ava Jorodhani kuti mutiise mumaoko avaAmori kuti vatiparadze? Dai takangogutsikana hedu takagara mhiri kweJorodhani! Haiwa Ishe, ndingatiiko zvino vaIsraeri zvavakundwa navavengi vavo? VaKenani navamwe vanhu vari munyika muno vachazvinzwa vagotikomberedza nokubvisa zita redu pano pasi. Zvino muchagozoitei nezita renyu guru?” Jehovha akati kuna Joshua, “Simuka! Wawireiko pasi nechiso chako? VaIsraeri vatadza; vadarika sungano yangu, yandakavarayira kuti vaichengete. Vatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa; vaba, vanyepa, vazvivhenganisa nezvinhu zvavo. Ndokusaka vaIsraeri vasingagone kumisidzana navavengi vavo; vanofuratira vachitiza nokuti vava vanhu vakatukwa. “Enda unonatsa vanhu. Uvataurire kuti, ‘Zvinatsei muchigadzirira zuva ramangwana; nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Chinhu chakatukwa chiri pakati penyu, imi vaIsraeri. Hamungagoni kumisidzana navavengi venyu kusvikira machibvisa. “ ‘Zvino mangwana mangwanani, munofanira kuzviratidza rudzi norudzi. Rudzi ruchabatwa naJehovha runofanira kuuya mberi imba neimba; imba ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi, mhuri nemhuri; mhuri ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi munhu nomunhu. Uyo achawanikwa ane zvinhu zvakatukwa achaparadzwa nomoto, nazvose zvaanazvo. Akanganisa sungano yaJehovha uye aita chinhu chinonyadzisa muIsraeri!’ ” Mangwana mangwanani Joshua akati vaIsraeri vauye rudzi norudzi; rudzi rwaJudha rukabatwa. Dzimba dzokwaJudha dzakauya mberi imba yavaZera ikabatwa. Akauyisa imba yavaZera nemhuri dzayo, Zimiri akabatwa. Joshua akauyisa mhuri yake munhu nomunhu, uye Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akabatwa. Ipapo akati kuna Akani, “Mwanakomana wangu, ipa mbiri kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, ureurure kwaari. Ndiudze kuti chii chawaita; usandivanzira.” Akani akapindura achiti, “Ichokwadi! Ndakatadzira Jehovha, Mwari waIsraeri. Izvi ndizvo zvandakaita: Pandakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka yokuBhabhironi, mashekeri mazana maviria esirivha negoridhe rairema mashekeri makumi mashanub, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvakavigwa pasi mutende, sirivha iri pasi pazvo.” Naizvozvo Joshua akatuma nhume, vakamhanyira kutende, vakanowana zviriko, zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi. Vakazvibvisa mutende, vakauya nazvo kuna Joshua nokuvaIsraeri vose, vakazviwadzira pamberi paJehovha. Ipapo Joshua, pamwe chete navaIsraeri vose vakatora Akani mwanakomana waZera, nesirivha, nenguo, negoridhe, navanakomana navanasikana vake, mombe dzake, namadhongi namakwai ake, netende rake nezvose zvaaiva nazvo, vakaenda nazvo kuMupata weAkori. Joshua akati, “Watipinzireiko mudambudziko iri? Jehovha achakupinza mudambudziko nhasi.” Ipapo vaIsraeri vose vakamutema namatombo, uye shure kwokuvatema vose, vakavapisa nomoto. Vakaunganidza murwi wamatombo mukuru pamusoro paAkani, uchiripo nanhasi. Ipapo Jehovha akadzora kutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo nzvimbo iyi yakanzi Mupata weAkori kubvira ipapo. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usatya kana kuvhundutswa. Tora varwi vose uende unorwisa Ai. Nokuti ndaisa mambo weAi, navanhu vake, neguta rake nenyika yake mumaoko ako. Munofanira kuita kuAi namambo wayo sezvamakaita kuJeriko namambo waro, kunze kwokuti apa munofanira kuzvitakurira zvamunotapa zvavo nezvipfuwo. Muise vangavandira guta necheseri kwaro.” Naizvozvo Joshua akasimuka nehondo yose kuti andorwisa Ai. Akasarudza mhare dzokurwa dzinokwana zviuru makumi matatu akavatuma usiku. Akavarayira achiti, “Nyatsoteererai. Munofanira kuvandira guta necheseri kwaro. Musaende kure naro. Mose munofanira kugara makagadzirira. Ini navanhu vose vandinavo tichafamba takananga guta, zvino kana varume vakauya kuti vazorwa nesu, sezvavakaita pakutanga, tichavatiza. Vachatidzinganisa kusvikira tavakwezvera kure neguta, nokuti vachati, ‘Vari kutitiza sezvavakamboita pakutanga.’ Naizvozvo kana tavatiza, imi munofanira kusimuka kubva pamunenge makavanda motora guta. Jehovha Mwari wenyu acharipa mumaoko enyu. Kana matora guta, ripisei nomoto. Muite zvamarayirwa naJehovha, tarirai, ndakurayirai.” Ipapo Joshua akavatuma, vakaenda kunzvimbo yokunovandira vakagara pakati peBheteni neAi, kumavirazuva kweAi, asi Joshua akarara kuvanhu usiku ihwohwo. Mangwana mangwanani Joshua akaronga vanhu, uye iye navatungamiri veIsraeri vakafamba pamberi pavo vachienda kuAi. Hondo yose yaiva naye yakafamba vakaswedera pedyo neguta vakasvika nechemberi kwaro. Vakadzika musasa kumusoro kweAi, mupata uri pakati pavo neguta. Joshua akanga atora varume vangasvika zviuru zvishanu akavarayira kuti vavandire pakati peBheteri neAi, kumavirazuva kweguta. Vakarayira varwi kuti vatore nzvimbo dzavo, vose vaiva mumusasa nechokumusoro kweguta navakanga vakavandira kumavirazuva kwaro. Usiku ihwohwo Joshua akapinda mumupata. Zvino mambo weAi paakaona izvi, iye navarume vose veguta vakakurumidza kubuda mangwanani kuti vasangane navaIsraeri varwe panzvimbo yakanga yakatarisana neArabha. Asi haana kuziva kuti akanga avandirwa seri kweguta. Joshua navaIsraeri vose vakavarega vachivadzingirira vachidzokera shure, vakatiza vakananga kugwenga. Varume vose veAi vakadaidzwa kuti vavadzingirire, uye vakadzingirira Joshua vachibva vakwezvwa kubva kuguta. Hapana murume kana mumwe akasara muAi kana muBheteri asina kudzingirira vaIsraeri. Vakasiya guta rakashama vakadzingirira vaIsraeri. Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, “Simudza pfumo rawakabata muruoko rwako urinongedzere kuAi, nokuti ndichaisa guta iri muruoko rwako.” Naizvozvo Joshua akanongedzera pfumo rake kuAi. Akati achangoita izvi varume vaiva vakavandira vakasimuka kubva panzvimbo dzavo nokukurumidza vakamhanya vachienda mberi. Vakapinda muguta vakaripamba ndokukurumidza kuritungidza nomoto. Varume veAi vakacheuka vakaona utsi hweguta huchikwira kudenga, asi vakashayiwa pokupukunyuka napo kumativi ose, nokuti vaIsraeri vakanga vachitizira kugwenga vakatendeukira vaivatevera. Joshua navaIsraeri vose pavakaona kuti vavandiri vakanga vatora guta uye utsi hwakanga huchikwira kubva muguta, vakatendeuka vakarwisa varume veAi. Varume vakanga vakavandira vakabudawo muguta kuzorwa navo, naizvozvo vakabva vaiswa pakati pavaIsraeri, vamwe nechokuno, vamwe nechokoko. VaIsraeri vakavauraya zvokusasiya kana mumwe chete wavo ari mupenyu kana vakatiza. Asi vakatora mambo weAi ari mupenyu vakauya naye kuna Joshua. VaIsraeri pavakapedza kuuraya varume vose veAi nomunondo kusango nokurenje kwavakanga vavadzinganisira, uye mushure mokunge mumwe nomumwe wavo aurayiwa nomunondo vose vakadzokera kuAi vakauraya vose vaivamo. Zuva iroro kwakafa varume navakadzi vaisvika zviuru gumi nezviviri, vanhu vose veAi. Nokuti Joshua haana kudzosa ruoko rwake rwakanga rwakasimudza pfumo kusvikira aparadza vose vaigara muAi. Asi vaIsraeri vakazvitorera zvipfuwo nezvakapambwa muguta iri, sezvakanga zvarayirwa Joshua naJehovha. Naizvozvo Joshua akapisa Ai akariita murwi, rikava dongo kusvika nanhasi. Akasungirira mambo weAi mumuti akamusiya kusvikira manheru. Zuva rodoka, Joshua akavarayira kuti vaturure chitunha chake mumuti vachikande pasi pasuo reguta. Vakaitawo murwi mukuru wamatombo, uchiripo nanhasi. Zvino Joshua akavakira Jehovha, Mwari waIsraeri, aritari pagomo reEbhari, sezvakanga zvarayirwa vaIsraeri naMozisi muranda waJehovha. Akaivaka sezvazvakanyorwa muBhuku roMurayiro waMozisi. Yakanga iri aritari yamabwe asina kuvezwa, hapana kumboshandiswa mudziyo wesimbi pairi. Vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinoitwa nomoto uye vakabayira zvipiriso zvokuyanana pairi. Zvino ipapo, pamberi pavaIsraeri, Joshua akanyorazve pamabwe murayiro waMozisi, waakanga ambonyora. VaIsraeri vose navatorwa, navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo, vakanga vakamira kumativi maviri eareka yesungano yaJehovha, vakatarisa avo vakanga vakaitakura, vaprista, vakanga vari vaRevhi. Imwe hafu yavanhu yakanga yakamira pamberi pegomo reGerizimu uye imwe hafu yakamira pamberi pegomo reEbhari, sezvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha pakutanga paakati vanhu veIsraeri varopafadzwe. Mushure maizvozvo, Joshua akaverenga mashoko ose omurayiro, maropafadzo nezvituko sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku roMurayiro. Hapana shoko kana rimwe pane zvose zvakanga zvarayirwa naMozisi, risina kuverengerwa ungano yose yavaIsraeri naJoshua, kusanganisira vakadzi navana, navatorwa vaigara pakati pavo. Zvino madzimambo ose aigara kumavirira kweJorodhani navaiva munyika yamakomo, mujinga mamakomo kumadokero, mumahombekombe ose eGungwa Guru kusvikira kuRebhanoni (madzimambo avaHiti, navaAmori, navaKenani, navaPerizi, navaHivhi navaJebhusi). Vakaungana pamwe chete kuti varwisane naJoshua navaIsraeri. Asi vanhu veGibheoni pavakanzwa zvakanga zvaitwa Jeriko neAi naJoshua, vakafunga zano: Vakaenda senhume nembongoro dzavo dzakatakura masaga akasakara nehomwe dzewaini dzakasakara, dzakatsemuka dzikasonanidzwazve. Varume vakapfeka shangu dzakasakara. Zvingwa zvese zvembuva yavo zvakanga zvakaoma nokuvhuvha. Ipapo vakaenda kuna Joshua mumusasa paGirigari ndokubva vati kwaari nokuvarume veIsraeri, “Tabva kunyika iri kure; zvino itai sungano nesu.” Zvino varume veIsraeri vakati kuvaHivhi, “Asi zvichida munogara pedyo nesu. Tingagoita sungano nemi sei?” Ivo ndokuti kuna Joshua, “Tiri varanda venyu.” Asi Joshua akavabvunza achiti, “Ndimi vanaani uye munobvepi?” Ivo vakati kwaari, “Varanda venyu vabva kunyika iri kure kure nokuda kwomukurumbira waJehovha Mwari wenyu. Nokuti takanzwa nezvake: zvose zvaakaita muIjipiti, uye nezvose zvaakaita kumadzimambo maviri avaAmoni kumabvazuva eJorodhani nokuna Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, aitonga muAshitaroti. Zvino vakuru vedu navagari vose vomunyika yedu vakati kwatiri, ‘Torai mbuva yerwendo rwenyu; muende munosangana navo muti kwavari, “Tiri varanda venyu; itai sungano nesu.”’ Zvingwa zvedu izvi zvakanga zvichidziya patakazvitora mudzimba dzedu zuva ratakasimuka tichiuya kuno. Asi zvino chionai kuoma nokuvhuvha kwazvaita. Uye homwe dzewaini idzi dzaiva itsva patakadzizadza, asi chionai kubvaruka kwadzaita. Uye mbatya dzedu neshangu dzedu zvasakara nokuda kworwendo rurefu refu.” Varume veIsraeri vakaravira mbuva yavo asi havana kubvunza Jehovha. Ipapo Joshua akaita sungano yorugare navo kuti vavarege vari vapenyu, uye vakuru veungano vakaisimbisa nemhiko. Zvino mushure mamazuva matatu vaita sungano navaGibheoni, vaIsraeri vakanzwa kuti vakanga vari vavakidzani, vagere pedyo navo. Naizvozvo vaIsraeri vakasimuka vakasvika mumaguta avo zuva rechitatu: aiti Gibheoni, neKefira, neBheroti, neKiriati Jearimu. Asi vaIsraeri havana kuvarwisa, nokuti vakuru veungano vakanga vaita mhiko kwavari naJehovha, Mwari waIsraeri. Ungano yose yakapopotera vatungamiri, asi vatungamiri vose vakapindura vachiti, “Takapika kwavari naJehovha, Mwari waIsraeri, zvino hatigoni kuita chinhu kwavari. Izvi ndizvo zvatichaita kwavari: Tichavarega vari vapenyu, kuitira kuti kutsamwa kwaMwari kurege kutiwira nokuda kwokuputsa mhiko yatakapika kwavari.” Vakaenderera mberi vachiti, “Varegei vari vapenyu, asi ngavave vatemi vehuni navacheri vemvura veungano yose.” Naizvozvo zvakanga zvarehwa navatungamiri zvakaitwa. Ipapo Joshua akadana vaGibheoni akati kwavari, “Sei makatinyengedza muchiti, ‘Tinogara kure kure nemi,’ asi imi muchigara pedyo nesu? Naizvozvo mava vanhu vakatukwa: Hamuchazofi makarega kuva vatemi vehuni navacheri vemvura veimba yaMwari wangu.” Ivo vakapindura Joshua vachiti, “Varanda venyu vakanga vaudzwa pachena kuti Jehovha Mwari wenyu akanga arayira Mozisi muranda wake sei kuti akupei nyika yose nokuparadza vose vageremo pamberi penyu. Naizvozvo taityira upenyu hwedu nokuda kwenyu, zvino ndicho chikonzero takaita izvi. Zvino tava mumaoko enyu. Itai kwatiri chero zvamunoona zvakanaka uye zvakarurama.” Naizvozvo Joshua akavaponesa kubva kuvaIsraeri, ivo vakasavauraya. Zuva iroro Joshua akaita vaGibheoni vatemi vehuni navacheri vemvura yeungano neyearitari yaJehovha panzvimbo yaizosarudzwa naJehovha. Uye ndizvo zvavari kusvikira nanhasi. Zvino Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akanzwa kuti Joshua akanga atora Ai akariparadza zvachose, akaitira Ai namambo waro sezvaakanga aitira Jeriko namambo wayo, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vaita sungano yorugare navaIsraeri uye kuti vaigara pedyo navo. Iye navanhu vake vakavhundutswa kwazvo nazvo, nokuti Gibheoni rakanga riri guta guru, rakaita serimwe ramaguta oumambo; rakanga riri guru kupfuura Ai, uye varume varo vose vaiva mhare pakurwa. Naizvozvo Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akatuma nhume kuna Hohani mambo weHebhuroni, nokuna Piramu mambo weJarumuti, nokuna Jafia mambo weRakishi nokuna Dhebhiri mambo weEgironi. Akati, “Uyai kuno mundibatsire kurwisa Gibheoni, nokuti vakaita sungano yorugare naJoshua navaIsraeri.” Ipapo madzimambo mashanu avaAmori, madzimambo eJerusarema, neHebhuroni, neJarumuti, neRakishi neEgironi, vakaunganidza varwi vavo. Vakaenda nehondo dzavo dzose vakavaka musasa pamberi peGibheoni, vakairwisa. Zvino vaGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumusasa waiva paGirigari, vachiti, “Musasiya henyu varanda venyu. Uyai kuno kwatiri nokukurumidza muzotiponesa! Tibatsirei, nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vaungana kuti vatirwise.” Naizvozvo Joshua akafamba achibva paGirigari, iye navarwi vose vaaiva navo, navarume vose vesimba noumhare. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya; ndavaisa mumaoko ako. Hapana kana mumwe wavo achagona kumira pamberi pako.” Naizvozvo Joshua akavarwisa pakarepo, shure kwokunge afamba achibva kuGirigari usiku hwose. Zvino Jehovha akaita kuti vavhunduke pamberi pavaIsraeri, avo vakavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, vakavadzingirira nenzira inoenda kuBheti Horoni, vakavaparadza kusvikira kuAzeka nokuMakedha. Pavaitiza pamberi pavaIsraeri nenzira yaidzika kubva kuBheti Horoni ichienda kuAzeka, Jehovha akakanda pamusoro pavo matombo makuru akanga achibva kudenga, vazhinji vavo vakafa nechimvuramabwe kupfuura avo vakaurayiwa neminondo yavaIsraeri. Pazuva iro Jehovha akapa vaAmori kuvaIsraeri, Joshua akati kuna Jehovha pamberi pavaIsraeri: “Iwe zuva, mira pamusoro peGibheoni, Iwe mwedzi, pamusoro pemupata weAijaroni.” Naizvozvo zuva rakamira, nomwedziwo ukamira, kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo, sezvazvakanyorwa muBhuku raJashari. Zuva rakamira pakati pedenga rikanonoka kuvira nenguva ingaita zuva rose. Hakuna kumboita zuva rakaita seiri nguva yakapfuura kana yakatevera, pazuva iri Jehovha akateerera munhu. Zvirokwazvo Jehovha akanga achirwira Israeri! Ipapo Joshua akadzokera navaIsraeri vose kumusasa paGirigari. Zvino madzimambo mashanu akanga atiza akandovanda mubako paMakedha. Joshua paakaudzwa kuti madzimambo mashanu aya akanga awanikwa akavanda mubako paMakedha, akati, “Kungurusirai matombo makuru pamuromo webako, mugoisa vamwe varume ipapo kuti varichengete. Asi musamira! Teverai vavengi venyu, muvarwise necheshure kwavo uye musavarega vachisvika kumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu avapa mumaoko enyu.” Naizvozvo Joshua navaIsraeri vakavaparadza zvachose, asi vashoma vavo vakasara vakasvika kumaguta avo akavakirwa masvingo. Ipapo vanhu vose vakadzokera kuna Joshua kumusasa paMakedha norugare, uye hapana kana mumwe akataura shoko pamusoro pavaIsraeri. Joshua akati, “Vhurai muromo webako mugondiigira madzimambo mashanu aya.” Naizvozvo vakabudisa madzimambo mashanu aya mubako, mambo weJerusarema, noweHebhuroni, noweJarumuti, noweRakishi noweEgironi. Pavakauya namadzimambo aya kuna Joshua, akadana varume vese veIsraeri akati kuvatungamiri vehondo vakanga vauya naye, “Uyai pano muise tsoka dzenyu pamitsipa yamadzimambo aya.” Naizvozvo vakaenda mberi vakaisa tsoka dzavo pamitsipa yavo. Joshua akati kwavari, “Musatya; musaora mwoyo. Simbai mutsunge mwoyo. Izvi ndizvo zvichaitwa naJehovha kuvavengi venyu vose vamucharwa navo.” Ipapo Joshua akavabaya akauraya madzimambo aya ndokuvasungirira pamiti mishanu, uye vakasiyiwa vakarembera pamiti kusvikira madekwana. Zuva rava kuvira Joshua akarayira vanhu vakavaturura mumiti ndokuvakanda mubako mavakanga vambovanda. Vakaisa matombo makuru pamuromo webako, ayo achiripo nanhasi. Musi iwoyo Joshua akatora Makedha. Akabayira guta namambo waro nomunondo akaparadza zvachose vanhu vose vakanga varimo. Haana kusiya vapenyu. Uye akaita kuna mambo weMakedha sezvaakaita kuna mambo weJeriko. Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakafamba kubva kuMakedha vakaenda kuRibhina ndokuirwisa. Jehovha akapawo guta iroro namambo waro muruoko rwaIsraeri. Joshua akaparadza guta navose vaiva mariri nomunondo. Hapana waakasiya ari mupenyu. Akaita kuna mambo waro zvaakanga aita kuna mambo weJeriko. Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakabva kuRibhina vakaenda kuRakishi; vakavaka misasa yavo pedyo naro vakarirwisa. Jehovha akapa Rakishi kuvaIsraeri, Joshua akaritora nezuva rechipiri. Akaparadza guta navose vaiva mariri nomunondo, sezvaakaita Ribhina. Ipapo Horamu mambo weGezeri akauya kuzobatsira Rakishi, asi Joshua akamukunda pamwe chete nehondo yake, kusvikira pasisina mupenyu akasara. Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakafamba kubva kuRakishi vakaenda kuEgironi, vakavaka misasa pedyo naro vakarirwisa. Vakaritora musi iwoyo vakariparadza nomunondo zvachose navose vaiva mariri, sezvavakaita kuRakishi. Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakafamba kubva kuEgironi vakaenda kuHebhuroni vakarirwisa. Vakatora guta vakariparadza nomunondo, pamwe chete namambo waro, namaguta aro, navanhu vose vaiva mariri. Hapana wavakasiya ari mupenyu. Vakariparadza zvachose navanhu vose vaiva mariri sezvavakaita kuEgironi. Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakadzokera kuDhebhiri vakarirwisa. Vakatora guta, namambo waro nemisha yaro, vakazviparadza nomunondo. Vakaparadza zvachose vose vaivamo. Hapana wavakasiya ari mupenyu. Vakaita kuDhebhiri nokuna mambo waro sezvavakanga vaita kuRibhina nokuna mambo waro uye nokuHebhuroni. Naizvozvo Joshua akaparadza nharaunda yose, zvichisanganisira nyika yamakomo, neNegevhi, neyemujinga mezvikomo zvokumavirira nemitenusirwa yamakomo pamwe chete namadzimambo acho ose. Hapana waakasiya ari mupenyu. Akaparadza zvachose vose vaifema, sezvakanga zvarayirwa naJehovha, Mwari waIsraeri. Joshua akavaparadza kubva kuKadheshi Bharinea kusvikira kuGaza uye nokubva kudunhu rose reGosheni kusvikira kuGibheoni. Madzimambo aya ose nenyika dzawo akakundwa naJoshua panguva imwe chete, nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akarwira Israeri. Ipapo Joshua akadzokera navaIsraeri vose kumusasa kuGirigari. Zvino Jabhini mambo weHazori akati anzwa pamusoro paizvozvi, akatumira shoko kuna Jobhabhi mambo weMadhoni, nokuna madzimambo eShimuroni neAkishafi, uye nokumadzimambo okumusoro aigara mumakomo, muArabha zasi kweKinereti, kumadokero kwamajinga ezvikomo uye nokuzvikomo zveNafoti Dhori kumadokero; NokuvaKenani kumabudazuva nokumadokero, nokuvaAmori, vaHiti, vaPerizi navaJebhusi munyika yamakomo; uye nokuvaHivhi muzasi meHemoni mudunhu reMizipa. Vakauya nehondo dzavo dzose namabhiza nengoro zhinji zhinji, navanhu vazhinji kwazvo, vakanga vakawanda sejecha rapamahombekombe egungwa. Madzimambo ose aya akaungana vakavaka musasa pamwe chete paMvura yeMeromi, kuti vazorwa navaIsraeri. Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya nokuti mangwana nguva ino ndichavaisa vose vakatofa mumaoko avaIsraeri. Munofanira kutema marunda amakumbo amabhiza avo nokupisa ngoro dzavo.” Naizvozvo Joshua nehondo yake vakavavinga pakarepo paMvura yeMeroni vakavarwisa, uye Jehovha akavaisa mumaoko avaIsraeri. Vakavakunda vakavadzinganisa kusvikira kuGuta reSidhoni, nokuMisirefoti Maimi, nokuMupata weMizipa kumabvazuva, kusvikira pasisina mupenyu akasara. Joshua akaita kwavari zvakanga zvarayirwa naJehovha: Akatema marunda amabhiza akapisa ngoro dzavo. Panguva iyoyo Joshua akadzokera akatora Hazori ndokuuraya mambo waro. (Hazori waiva muzinda woumambo hwose uhu.) Vakauraya nomunondo munhu wose aivamo. Vakavaparadza zvachose, vakasasiya chipi nechipi chaifema, uye akapisa Hazori pacharo nomoto. Joshua akakunda maguta oumambo ose aya namadzimambo awo ndokuvauraya nomunondo. Akavaparadza zvachose, sezvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha. Asi vaIsraeri havana kupisa kana rimwe ramaguta akanga akavakwa pazvikomo zvavo, kusara kweHazori chete, rakapiswa naJoshua. VaIsraeri vakatakura zvose zvavakapamba nezvipfuwo zvamaguta iwaya, asi vakaparadza zvachose vanhu vose, vakasasiya kana mumwe aifema. Sezvakanga zvarayirwa Mozisi muranda wake naJehovha, saizvozvo Mozisi akarayira Joshua, uye Joshua akazviita; hapana chaakasiya chisina kuitwa pane zvose zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Naizvozvo Joshua akatora nyika yose iyi nyika yamakomo, neNegevhi nyika yose yezasi, neArabha namakomo eIsraeri namajinga awo, kubvira kuGomo reHaraki, rinokwira rakananga kuSeiri, kuBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni mumupata meGomo reHemoni. Akabata madzimambo avo ose akavaparadza, akavauraya. Joshua akarwa namadzimambo ose aya kwenguva refu. Hakuna guta kana rimwe rakaita sungano yorugare navaIsraeri kunze kwavaHivhi vaigara muGibheoni, vavakatora vose pakurwa. Nokuti Jehovha ndiye akaomesa mwoyo yavo kuti varwe navaIsraeri, kuti vavaparadze zvachose, vavaparadze pasina kunzwira tsitsi, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Panguva iyoyo Joshua akaenda akandoparadza vaAnaki munyika yamakomo: kubva kuHebhuroni, nokuDhebhiri nokuAnabhi, nokubva munyika yose yamakomo yeJudha, uye nokubva munyika yose yamakomo yavaIsraeri. Joshua akavaparadza zvachose namaguta avo. Hakuna vaAnaki vakasara munyika yeIsraeri: kusara kwomuGaza, nomuGati nomuAshidhodhi makasara vamwe. Naizvozvo Joshua akatora nyika yose, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, uye akaipa kuvaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo. Ipapo nyika yakazorora pakurwa. Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha: Sihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni. Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi. Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga. Nenyika yaOgi mambo weBhashani, mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei. Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGeshiri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni. Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi norudzi rwehafu rwaManase kuti ive nhaka yavo. Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rakakwirira richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo, nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, nenyika yavaHivhi navaAmori, navaKenani, navaPerizi navaJebhusi): mambo weJeriko mumwe — chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe — chete mambo weJerusarema mumwe — chete mambo weHebhuroni mumwe — chete mambo weJarumuti mumwe — chete mambo weRakishi mumwe — chete mambo weEgironi mumwe — chete mambo weGezeri mumwe — chete mambo weDhebhiri mumwe — chete mambo weGedheri mumwe — chete mambo weHoma mumwe — chete mambo weAradhi mumwe — chete mambo weRibhina mumwe — chete mambo weAdhuramu mumwe — chete mambo weMakedha mumwe — chete mambo weBheteri mumwe — chete mambo weTapua mumwe — chete mambo weHeferi mumwe — chete mambo weAfeki mumwe — chete mambo weRasharoni mumwe — chete mambo weMadhoni mumwe — chete mambo weHazori mumwe — chete mambo weShimuroni Meroni mumwe — chete mambo weAkishafi mumwe — chete mambo weTaanaki mumwe — chete mambo weMegidho mumwe — chete mambo weKadheshi mumwe — chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe — chete mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe — chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe — chete mambo weTiriza mumwe — chete madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete. Joshua akati akwegura ava namakore mazhinji kwazvo, Jehovha akati kwaari, “Wakwegura kwazvo, uye kuchine nzvimbo zhinji dzinofanira kutorwa. “Iyi ndiyo nyika yasara: nyika dzose dzavaFiristia, navaGeshuri: Kubva kuRwizi rweShihori kumabvazuva kweIjipiti, kusvikira kudunhu reEkironi nechokumusoro, iyo yose yainzi ndeyavaKenani (matunhu amadzishe mashanu avaFiristia muGaza, Ashidhodhi, Ashikeroni, Gati, neEkironi neravaAvhiti); kubva zasi nyika yose yavaKenani, kubva kuAi yevaSidhoni kusvikira kuAfeki, nyika yavaAmori, nenyika yavaGebhari, uye neRebhanoni yose kumabvazuva, kubva paBhaari Gadhi muzasi meGomo reHemoni, kusvikira paRebho Hamati. “Kana vari vanhu vose vanogara munyika dzamakomo kubva kuRebhanoni kusvika kuMisirefoti Maimi, zvichireva vaSidhoni vose, ini pachangu ndichavadzinga pamberi pavana vaIsraeri. Unofanira kugovera nyika iyi kuvana vaIsraeri kuti ive nhaka yavo sezvandakurayira, uye ugoigovanisa senhaka pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase.” Imwe hafu yaManase, navaRubheni navaGadhi, vakanga vagamuchira nhaka yavakanga vapiwa naMozisi kumabvazuva kweJorodhani, sokuvagovera kwaakanga aita, iye muranda waJehovha. Yaibva kuAroeri nechokumusoro kwomupata weArinoni ichibvawo kuguta riri pakati pomupata, zvichibatanidzira bani rose reMedhibha kusvikira kuDhibhoni, uye maguta ose aSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavaAmoni. Yaibatanidzirawo Gireadhi, nenyika yavanhu veGeshuri neMaaka neGomo rose reHemoni uye neBhashani kusvikira kuSareka, zvichireva umambo hwose hwaOgi muBhashani, akanga akambotonga muAshitaroti neEdherei uye akanga apunyuka akava mumwe wavakanga vasara pakati pavaRefaiti. Mozisi akanga avakunda akavatorera nyika yavo. Asi vaIsraeri havana kudzinga vanhu veGeshuri neMaaka, naizvozvo vagere pakati pavaIsraeri kusvikira nhasi. Asi kurudzi rwaRevhi haana kupa nhaka, sezvo zvipiriso zvaipiswa nomoto kuna Jehovha Mwari waIsraeri, zviri izvo nhaka yavo, sezvaakavavimbisa. Iyi ndiyo nhaka yakanga yapiwa rudzi rwaRubheni naMozisi, imba neimba: Nyika yose kubva kuAroeri, nechokumucheto kwoMupata weArinoni, uye kubva muguta pakati pomupata, bani rose kupfuura Medhebha kusvikira kuHeshibhoni namaguta ose ari mubani, kusanganisa Dhibhoni, Bhamoti Bhaari, Bheti Bhaari Meoni, Jahazi, Kedhemoti, Mefaati, Kiriataimi, Sibhima Zereti Shahari pachikomo chiri mumupata, Bheti-Peori, nemitenutsirwa yePisiga, neBheti Jeshimoti, maguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, akanga aitonga paHeshiboni. Mozisi akanga amuka pamwe chete namadzishe eMidhiani vaiti Evhi, Rekemu, Zuri, Huri, naRebha, machinda aibatsirana naSihoni, akanga agere munyika iyoyo. Kuchiverengwa navaya vakanga vaurayiwa muhondo, vaIsraeri vakanga vauraya nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori. Muganhu wavaRubheni wakanga uri mahombekombe erwizi rweJorodhani. Maguta aya nemisha yawo ndiwo aiva nhaka yavaRubheni imba neimba. Izvi ndizvo zvakapiwa rudzi rwavaGadhi naMozisi, imba neimba: Nyika yeJazeri, namaguta ose eGireadhi, nehafu yenyika yavaAmoni, kusvikira kuAroeri, pedyo neRabha; nokubva kuHeshibhoni, kusvikira kuRamati Mizipa neBhetonimu, uye kubva kuMabhanaimu kusvika kunyika yeDhebhiri; nomumupata, Bheti Haramu, Bheti Nimura, Sukoti neZafoni nohumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni mambo weHeshibhoni, (kumabvazuva kweJorodhani nenyika inosvika panogumira Gungwa reKinereti). Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yavaGadhi, imba neimba. Izvi ndizvo zvakanga zvapiwa rudzi rwehafu rwaManase naMozisi, ndiko kuti, kuhafu yemhuri yezvizvarwa zvaManase, imba neimba: Nyika yavo yaibva paMahanaimi, ichibatanidzira neBhashani yose, noushe hwose hwaOgi mambo weBhashani nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu; hafu yeGireadhi, neAshitaroti neEdhirei, (maguta oushe hwaOgi muBhashani). Iyi ndiyo yaiva yezvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase, zvehafu yavanakomana vaMakiri, imba neimba. Ndidzo nhaka dzakagoverwa naMozisi pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva kweJeriko. Asi rudzi rwaRevhi haruna kupiwa nhaka naMozisi; Jehovha, Mwari wavaIsraeri, ndiye nhaka yavo, sezvaakavavimbisa. Zvino idzi ndidzo nzvimbo dzakagamuchirwa navana vaIsraeri senhaka munyika yeKenani, dzavakagoverwa nomuprista Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsraeri. Nhaka yavo yakagoverwa nemijenya kumarudzi mapfumbamwe nehafu yamarudzi, sezvakanga zvaraiyirwa naJehovha kuna Mozisi. Mozisi akanga apa marudzi maviri ane hafu nhaka yawo kumabvazuva kweJorodhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo, nokuti vana vaJosefa vakanga vava marudzi maviri rwaManase norwaEfuremu. VaRevhi havana kuwana mugove wenyika asi maguta okugara, namafuro amakwai avo nemombe dzavo. Naizvozvo vana vaIsraeri vakakamura-kamura nyika, sezvazvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Zvino vanhu veJudha vakaenda kuna Joshua paGirigari, uye Karebhu, mwanakomana waJefune muKenizi, akati kwaari, “Imi munoziva zvakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu nemi, paKadheshi Bharinea. Ndakanga ndava namakore makumi mana pandakatumwa naMozisi muranda waJehovha, paKadheshi Bharinea kundoshora nyika, uye ndakadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini, asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza mwoyo yavanhu, nokutya. Kunyange zvakadaro ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wose. Saka pazuva iro Mozisi akapika kwandiri akati, ‘Nyika yose yauchafamba pairi netsoka dzako, ichava nhaka yako, navana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wako wose.’ “Zvino ipapo, sokuvimbiswa kwakaitwa naJehovha, akandiraramisa kwamakore makumi mana namashanu, kubva panguva yaakataura izvi kuna Mozisi, vaIsraeri pavaidzungaira murenje. Naizvozvo nhasi ndiri pano, ndava namakore makumi masere namashanu! Ndichakangosimba nanhasi sezvandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMozisi; ndichine simba guru rokuti ndinokwanisa kuenda kundorwa sezvandakanga ndakaita kare. Zvino chindipa nyika iyo yamakomo, yandakavimbiswa naJehovha musi iwoyo. Iwe pachako wakanzwa kare kuti vaAnaki vakanga varipo uye kuti maguta avo akanga ari makuru uye akakomberedzwa, asi Jehovha achindibatsira, ndichavadzinga sezvaakataura.” Ipapo Joshua akaropafadza Karebhu, mwanakomana waJefune akamupa Hebhuroni senhaka yake. Naizvozvo Hebhuroni yakava nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi kubvira ipapo, nokuti akatevera Jehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose. (Hebhuroni yaimbonzi Kiriati Abha ichibva pana Abha akanga ano mukurumbira pakati pavaAnaki vose.) Ipapo nyika yakazorora pakurwa hondo. Nzvimbo yakapiwa rudzi rwaJudha, imba neimba, yaisvika kunyika yeEdhomu kuGwenga reZini zasi kumagumo chaiko. Muganhu wavo wezasi waitangira pamuganhu weGungwa roMunyu, uchiyambukira zasi kwoMupata weChinyavada uchipfuurira kuenda kuZini uchizopfuurira kuenda nechezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo waienda uchipfuura nepaHezironi kusvika Adhari uchikombamira kuKarika. Ipapo waipfuurira kuAzimoni uchindobatana neRwizi rweIjipiti wogumira kugungwa. Uyu ndiwo muganhu wavo wezasi. Muganhu wokumabvazuva ndiwo Gungwa roMunyu kusvikira kumuromo werwizi rweJorodhani. Muganhu wokumusoro waitangira kugungwa pamuromo weJorodhani, uchienda kuBheti Hogira, ndokupfuurira nokumusoro kweBheti Arabha kusvika kubwe raBhohani mwanakomana waRubheni. Ipapo muganhu waizokwira kuDhebhiri uchibva paMupata weAkori uye uchidzokera nechokumusoro wakananga kuGirigari, pakatarisana noMupata weAdhumimi nechezasi kwomupata. Waipfuurira napamvura yeEni Shemeshi ndokuzobudira kuEri Rogeri. Ipapo waikwira napamupata waBheni waHinomi wakanga uri zasi kwamateru eguta ravaJebhusi (rinova Jerusarema). Kubva ipapo waikwira kumusoro kwechikomo kumavirira kwomupata waHinomi nechokumusoro kwamagumo oMupata weRefaimi. Kubva pamusoro pechikomo, muganhu wainanga kuchitubu chemvura zhinji yeNefutoa, uchibudira kumaguta eGomo reEfuroni ndokuzoburuka wakananga Bhaara iro Kiriati. Ipapo waikombamira kumavirira uchibva paBhaara kusvika paGomo reSeiri uchienda nokumawere eGomo reJearimi (iro Kesaroni), ndokupfuurira pasi kuBheti Shemeshi uchizoyambukira kuTimina. Waiendawo nokumawere echokumusoro kweEkironi, uchidzoka wakananga kuShikeroni, uchipfuura nokuGomo reBhaara uchisvika kuJabhuneeri. Muganhu waindogumira kugungwa. Muganhu wokumavirira ndiwo mahombekombe eGungwa Guru. Iyi ndiyo miganhu yakapoteredza Judha zvichienderana nedzimba dzavo. Joshua akapa Karebhu mwanakomana weJefune mugove pakati pavana vaJudha sezvaakarayirwa naJehovha, akamupa Kiriati Abha, iro Hebhuroni. (Abha akanga ari tateguru waAnaki.) Karebhu akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki vaiti Sheshai, Ahimani naTarimani zvizvarwa zvaAnaki kubva paHebhuroni. Kubva ipapo akandorwa navanhu vaigara kuDhebhiri (yaimbonzi Kiriati Seferi). Karebhu akati, “Munhu anorwa neKenati Seferi akarikunda ndichamupa mukunda wangu, Akisa ave mukadzi wake.” Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu akarikunda; saka Karebhu akamupa mwanasikana wake Akisa akava mukadzi wake. Akisa akati achisvika kuna Otinieri nerimwe zuva, akamukurudzira kuti akumbire munda kubva kuna baba vake. Paakaburuka pambongoro yake Karebhu akati kwaari, “Ndingakuitireiko?” Iye akati, “Ndiitirei nyasha. Zvamakandipa nyika yeNegevhi, ndipeiwo zvakare matsime emvura.” Naizvozvo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi. Iyi ndiyo nhaka yorudzi rwaJudha, imba neimba: Maguta ezasi zasi erudzi rwaJudha kuNegevhi kwakanangana nomuganhu weEdhomu kwaiva ne: Kabhizeeri, Edheri, Jaguri, Kina, Dhimona, Adhadha, Kedhasi, Hazori, Itinani, Zifi, Teremi, Bhearoti, Hazori Hadhata, Kerioti Hezironi (iro Hazori), Amami, Shema, Moradha, Hazari Gadha Heshimoni, Bheti Pereti, Hazari Shuari, Bheerishebha, Bhiziotia, Bhaara, Riyimi, Ezemi, Eritoradhi, Kesiri, Hurima, Zikiragi, Madhimana, Sanisana, Rebhaoti, Shirimi, Aini, Rimoni, maguta anokwana makumi maviri namapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo. Mujinga mamakomo okumavirira maiva ne: Eshitaori, Zora neAshina, Zanoa, Eni Ganimi, Tapuwa, Enami, Jarimuti, Adhuramu, Soko, Azeka, Shaaraimi, Adhitaimi, neGedhera (kana kuti Gedherotaimi) anova maguta gumi namana pamwe chete nemisha yawo. Zenani, Hadhasha, Migidhari Gadhi, Dhireani, Mizipe, Jokiteeri, Rakishi, Bhozikati, Egironi, Kabhoni, Rahamasi, Kitireishi, Gedheroti, Bheti Dhagoni, Naama, neMakedha anova maguta gumi namatanhatu pamwe chete nemisha yawo. Ribhina, Eteri, Ashani, Rifita, Ashina, Nezibhi, Keira, Akizibhi, Maresha anova maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo. Ekironi, nenzvimbo dzakaripoteredza nemisha yaro; uye nokumavirira kweKironi namaguta ose akanga ari pedyo neAshidhodhi pamwe chete nemisha yawo; Ashidhodhi nemisha yaro yakaripoteredza neGaza nemisha yaro kusvikira kurukova rweIjipiti namahombekombe eGungwa Guru. Munyika yamakomo maiva ne: Shamiri, Jatiri, Soko, Dhana, Kiriati Sana (iro Dhebhiri), Anabhi, Ashitemo, Animi, Gosheni, Horoni, neGiro anova maguta gumi nerimwe pamwe chete nemisha yawo. Arabha, Dhuma, Eshani, Janimi, Bheti Tapua, Afeka. Humuta, Kiriati Abha, (iro Hebhuroni) neZiori ndiwo maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo. Maoni, Kameri, Zifi, Juta, Jezirieri, Jokidheami, Zanoa, Kaini, Gibhea, neTimuna, ndiwo maguta gumi nemisha yawo. Hariuri, Bheti Zuri, Gedhori, Maarati, Bheti Anoti, neEritekoni ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo. Kiriati Bhaari (iro Kiriati Jearimi) neRabha ndiwo maguta maviri nemisha yawo. Murenje maiva ne: Bheti Arabha, Midhini, Sekaka, Nibhishani, Guta roMunyu, neEni Gedhi ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo. Judha haana kukwanisa kudzinga vaJebhusi vakanga vachigara muJerusarema; nanhasi vaJebhusi vageremo navanhu veJudha. Mugove waJosefa waitangira paJorodhani paJeriko kumabvazuva kwemvura zhinji yeJeriko, ndokukwira uchibva ikoko nomugwenga uchienda kunyika yezvikomo yeBheteri. Waienderera mberi uchibva paBheteri (iro Ruzi), ndokuyambukira kunyika yavaAriki muAtaroti, ndokuburukira kumabvazuva kunyika yavaJafereti uchindosvika kunyika yeBheti Horoni reZasi nokuGezeri, uchigumira pagungwa. Saka Manase naEfuremu zvizvarwa zvaJosefa, vakagamuchira nhaka yavo. Iyi ndiyo yaiva nyika yaEfuremu, imba neimba: Muganhu wenhaka yavo waibvira paAtaroti Adhari kumabvazuva uchisvika kuBheti Horoni yoKumusoro uye uchindosvika kugungwa, kubva kuMikimetati nechokumusoro waikombamira kumabvazuva uchindosvika paTaanati Shiro, ndokupfuura ipapo wakananga kuJanoa nechokumabvazuva. Ipapo wakadzika uchibva kuJanoa uchienda kuAtaroti nokuNaara, ndokundobata Jeriko, ndokubudira paJorodhani. Kubva paTapuwa muganhu waienda kumavirazuva kuRwizi rweKana uchindogumira pagungwa. Iyi ndiyo yaiva nhaka yorudzi rwavaEfuremu imba neimba. Waisanganisirawo maguta ose nemisha yawo yakanga yakatsaurirwa vaEfuremu pakati penhaka yavaManase. Havana kudzinga vaKenani vakanga vagere muGezeri; nanhasi vaKenani vagere pakati pavaEfuremu asi vanoshandiswa mabasa echibharo. Uyu ndiwo mugove worudzi rwaManase sedangwe raJosefa, ndiko kuti mugove waMakiri dangwe raManase. Makiri ndiye akanga ari tateguru wavaGireadhi, uye akanga apiwa Gireadhi neBhashani nokuti vaMakiri vakanga vari varwi vakuru. Saka mugove uyu wakanga uri wavanhu vakasara vaManase dzimba dzaAbhiezeri, Hereki, Asirieri, Shekemu, Hefa naShemidha. Izvi ndizvo zvimwe zvizvarwa zvechirume zvaManase mwanakomana waJosefa nedzimba dzavo. Zvino Zerofeadhi mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga asina vanakomana asi vanasikana chete. Mazita avo aiti Mara, Noa, Hogira, Mirika, naTizira. Ivo vakaenda kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni, nokuvatungamiri vakandoti, “Jehovha akarayira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu.” Naizvozvo Joshua akavapa nhaka pamwe chete navanun'una vababa vavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Mugove waManase waisanganisira matunhu gumi tisingaverengi Gireadhi neBhashani dzaiva kumabvazuva kweJorodhani, nokuti vanasikana vorudzi rwaManase vakapiwa nhaka pakati pavanakomana. Nyika yeGireadhi yakanga iri yezvimwe zvizvarwa zvose zvaManase. Nyika yaManase yaitangira kuAsheri ichindosvika kuMikimetati kumabvazuva kweShekemu. Muganhu wainanga nechezasi uchibva ikoko uye waisanganisira vanhu vakanga vagere muEni Tapua. (Nyika yeTapua yakanga iri yaManase asi guta reTapua pacharo raiva pamuganhu waManase, rakanga riri ravaEfuremu.) Zvino muganhu waipfuurira zasi kuRwizi rweKana. Kwakanga kuna maguta aiva aEfuremu akanga ari pakati pamaguta aManase, asi muganhu waManase wakanga uri nechokumusoro kworwizi uchindogumira pagungwa. Nechezasi nyika iyi yakanga iri yaEfuremu uye kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase. Nyika yaManase yaisvika kugungwa uye yaiganhurana naAsheri nechokumusoro uye naIsakari kumabvazuva. Mukati meIsakari neAsheri, Manase akanga ainewo Bheti Shani, Ibhireami navanhu veDhori, Enidhori, Tanaki neMegidho, pamwe chete nemisha yakapoteredza (yechitatu pakuverengwa iNafoti). Asi vana vaManase havana kugona kugara mumaguta aya, nokuti vaKenani vakashinga kugara munyika iyoyo. Kunyange zvakadaro hazvo, vaIsraeri vakati vava nesimba, vakaisa vaKenani pasi pavo ndokuvashandisa chibharo, asi havana kuvadzinga zvachose. Vanhu vaJosefa vakati kuna Joshua, “Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete kuti ive nhaka yedu? Tiri vanhu vazhinji uye Jehovha akatiropafadza zvikuru.” Joshua akapindura achiti, “Kana muri vanhu vazhinji, uye kana nyika yezvikomo yaEfuremu iri diki chaizvo kwamuri, endai kudondo munozvitemera nzvimbo ikoko kunyika yavaPerizi neyavaRefaiti.” Vanhu vaJosefa vakati, “Nyika yamakomo haitikwaniri, uye vaKenani vose vanogara mubani vane ngoro dzesimbi, ivo vose vari muBheti Sheani nemisha yaro pamwe chete navari muMupata weJezireeri.” Asi Joshua akati kuimba yaJosefa, imba yaEfuremu naManase, “Imi muri vanhu vazhinji uye mune simba guru. Hamungave nomugove mumwe chete asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema rigova renyu kusvikira kwarinoperera, nokuti munofanira kudzinga vaKenani, kunyange vane ngoro dzesimbi uye vane simba.” Ungano yose yavaIsraeri yakaungana paShiro vakadzikapo Tende Rokusangana. Nyika yakanga yava pasi pavo, Asi kwakanga kwasara marudzi manomwe avaIsraeri akanga asati agoverwa nhaka yawo. Saka Joshua akati kuvaIsraeri, “Muchamirira kusvika rinhiko musati matora nyika yamakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu? Zvitsaurirei varume vatatu kurudzi rumwe norumwe. Ndichavatuma kuti vanoshora nyika uye kuti vagonyora vachirondedzera zvayakaita maererano nenhaka imwe neimwe. Ipapo vachadzoka kwandiri. Munofanira kuganhura kuti iite zvikamu zvinomwe. Judha anofanira kuramba ari munyika yezasi uye imba yaJosefa munyika yokumusoro. Mushure mokunge manyora rondedzero yezvikamu zvinomwe zvenyika, muuye nazvo kwandiri ndigokukandirai mujenya pamberi paJehovha Mwari wenyu. Kunyange zvakadaro hazvo, vaRevhi havawani mugove pakati penyu, nokuti uprista hwaJehovha ndihwo nhaka yavo. Uye Gadhi, Rubheni norudzi rwehafu rwaManase vakapiwa kare nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani. Mozisi muranda waJehovha ndiye akavapa nhaka iyoyo.” Varume vakati vaenda kundotara muganhu wenyika, Joshua akavarayira achiti, “Endai mundoshora nyika mugonyora rondedzero yayo. Ipapo mugodzoka kwandiri, uye ndichakukandirai mujenya pano paShiro pamberi paJehovha.” Saka varume vakaenda, vakafamba nenyika. Vakanyora rondedzero yayo mubhuku, guta neguta, muzvikamu zvinomwe, ndokudzokera kuna Joshua kumusasa paShiro. Ipapo Joshua akavakandira mujenya muShiro pamberi paJehovha, ndokugovera vaIsraeri nyika ipapo maererano namarudzi avo. Rudzi rwaBenjamini rwakapiwa mugove warwo, imba neimba. Nyika yavakagoverwa yakanga iri pakati pamarudzi aJudha neaJosefa: Kumusoro muganhu wavo waitangira paJorodhani, uchipfuura nokumusoro kwamateru eJeriko ndokunanga kumavirira okunyika yamakomo, uchindobuda kurenje reBheti Avheni. Kubva ikoko wakayambukira kumateru ezasi kweRuzi (iro Bheteri) uchizoburukira kuAtaroti Adhari pagomo riri zasi kweBheti Horoni yezasi. Kubva pachikomo chakatarisana neBheti Horoni nechokumusoro, muganhu wakadzokera zasi kudivi rokumavirira ndokundobudira paKiriati Bhaari (iro Kiriati Jearimi), guta ravanhu veJudha. Iri ndiro raiva divi rokumavirira. Rutivi rwezasi rwakatangira panogumira Kiriati Jearimi kumavirira, uye muganhu wakandobudira patsime remvura zhinji reNefitoa. Muganhu wakaburukira mujinga megomo rakatarisana nomupata weBheni Hinomi kumusoro kwomupata weRefaimi. Wakaramba uchidzika nokuMupata weHinomi mujinga memateru echezasi kweguta ravaJebhusi kusvikira kuEni Rogeri. Ipapo wakazokombamira kumusoro uchienda kuEni Shemeshi, uchipfuurira mberi kuGeriroti yakatarisana noMupata weAdhumimi, ndokuburikira kuDombo raBhohani mwanakomana waRubheni. Wakaramba uchienda nokurutivi rwokumusoro kwamateru eBheti Arabha. Ipapo wakananga nechokumusoro kwamateru eBheti Hogira ndokubudira kumusoro kweGungwa roMunyu, pamuromo weJorodhani nechezasi. Uyu ndiwo wakanga uri muganhu wezasi. Jorodhani ndirwo rwakanga ruri muganhu kumabvazuva. Iyi ndiyo yakanga iri miganhu yairatidza nhaka yemhuri dzaBhenjamini kumativi ose. Rudzi rwaBhenjamini, mhuri nemhuri, rwakanga runa maguta anotevera anoti: Jeriko, Bheti Hogira, Emeki Kezizi, Bheti Arabha, Zamaraini, Bheteri, Avhimi, Para, Ofira, Kefari Amoni, Ofini, neGebha, maguta gumi namaviri pamwe chete nemisha yawo. Ghibheoni, Rama, Bheeroti, Mizipa, Kefira, Moza, Rekemi, Iripeeri, Tarara, Zera, Haerefi guta ravaJebhusi, (iro Jerusarema) Gibhea neKiriati, maguta gumi namana pamwe chete nemisha yawo. Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yemhuri dzaBhenjamini. Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, imba neimba. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha. Nhaka yavo yaisanganisira: Bheerishebha (kana kuti Shebha), Hazari Shuari, Bhara, Ezemi, Eritoradhi, Bheturi, Homa, Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa, Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo; Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo, nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi). Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavaSimeoni, mhuri nemhuri. Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakanyanya kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha. Mugove wechitatu wakapiwa kuna Zebhuruni, imba neimba: Muganhu wenyika yavo waisvika kuSaridhi. Wainanga kumavirira uchisvika kuMarara, ndokundobata Dhabhesheti, uye waitandavara kusvika kurwizi ruri pedyo neJokineami. Wakanga uchidzokera kumabvazuva uchibva kuSaridhi wakananga kumabvazuva uchienda kunyika yeKisiroti Tabhori ndokupfuurira kuDhabherati uchindokwidza kuJaifa. Ipapo wakaramba wakananga kumabvazuva uchienda kuGati Hefa neEti Kazini; uchindobudira paRimoni ndokudzoka wakananga kuNea. Ipapo muganhu wakapoterera nechokumusoro uchienda kuHanatoni ndokugumira paMupata weIfita Eri. Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pana maguta gumi namaviri nemisha yawo. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, imba neimba. Mugove wechina wakapiwa Isakari, imba neimba. Nyika yavo yaisanganisira: Jezireeri, Kesuroti, Shunami, Hafaraimi, Shioni, Anaharati, Rabhiti, Kishioni, Ebhezi, Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi. Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo. Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, imba neimba. Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, imba neimba. Nyika yavo yaisanganisira: Herikati, Hari, Bheteni, Akisafi, Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati. Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuurira nokuKabhuri nechokuruboshwe. Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru. Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi, Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pana maguta makumi maviri nemisha yawo. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaAsheri, imba neimba. Mugove wechitanhatu wakapiwa kuna Nafutari, imba neimba: Muganhu wavo wakatangira paHerefi napamuti mukuru weZaananimi, uchipfuura napaAdhoni Nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi uye uchigumira paJorodhani. Muganhu wakaenda kumavirira ndokupfuura napaAzinoti Tabhori uye ukandobudira paHukoki. Waindobata Zebhuruni nechezasi, Asheri riri kumavirira neJorodhani rwuri kumabvazuva. Maguta akanga akakombwa namasvingo aiti Zidhimu, Zeri, Hamati, Rakati, Kinereti, Adhama, Rama, Hazori, Kedheshi, Edhirei, Eni Hazori, Ironi, Migidhari Eri, Horemi, Bheti Anati neBheti Shemeshi. Paiva namaguta gumi namapfumbamwe nemisha yawo. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaNafutari, imba neimba. Mugove wechinomwe wakapiwa kurudzi rwaDhani, imba neimba. Nyika yenhaka yavo yaisanganisira: Zora, Eshitaori, Iri Shemeshi, Shaarabhini, Aijaroni, Itira, Eroni, Timuna, Ekironi, Eriteke, Gibhetoni, Bhaarati, Jehudhi, Bhene Bheraki, Gati Rimoni, Me Jakironi, Rakoni nenyika yakatarisana neJopa. (Asi vana vaDhani vakaomerwa nokutora nyika yavo, saka vakaenda vakandorwisa Reshemi, vakaitora, vakaibaya nomunondo, ndokugara mairi. Vakagara muReshemi ndokuitumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo.) Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaDhani, imba neimba. Pavakapedza kugoverana nyika muzvikamu zvakafanira, vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Vakamupa guta raakanga akumbira, Timunati Sera panyika yamakomo yaEfuremu. Uye akavaka guta iri akagaramo. Idzi ndidzo nyika dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha pamukova weTende Rokusangana, nomuprista Ereazari naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamarudzi avana vaIsraeri. Naizvozvo vakapedza kukamura-kamura nyika. Ipapo Jehovha akataura naJoshua akati, “Udza vana vaIsraeri kuti vatsaure maguta outiziro, sezvandakarayira kubudikidza naMozisi, kuitira kuti ani naani anouraya munhu netsaona uye asina kuita namaune, agone kutizira ikoko uye adzivirirwe kumutsivi weropa. “Kana atizira kune rimwe ramaguta aya, anofanira kumira pasuo reguta agorondedzera nyaya yake pamberi pavakuru veguta. Ipapo vanofanira kumupinza muguta ravo vagomupa nzvimbo yokugara. Ipapo kana mutsivi weropa akamutevera, havafaniri kutendera muurayi kuti amubate nokuti akauraya wokwake asingaiti namaune uye asinazve kumuvenga kubva kare. Iye anofanira kugara muguta iroro kusvikira amira pamberi peungano uyezve kusvikira muprista ari kushumira panguva iyoyo afa. Ipapo angazodzokera kumusha kwake kwaakanga atiza.” Saka vakatsaura Kedheshi muGarirea munyika yamakomo yaNafutari, neShekemu munyika yamakomo yaEfuremu, neKiriati Abha (iyo Hebhuroni) munyika yamakomo yaJudha. Kurutivi rwokumabvazuva kweJorodhani reJeriko vakatsaura Bhezeri pamatunhu akakwirira omugwenga rokurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani murudzi rwaManase. MuIsraeri upi zvake kana mutorwa aigona kutizira hake kumaguta akatsaurwa uye aisazourayiwa nomutsivi weropa asati ambomiswa pamberi peungano. Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi vakaenda kumuprista Ereazari, nokuna Joshua mwanakomana waNuni, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsraeri. PaShiro panyika yeKenani vakati kwavari, “Jehovha akarayira kubudikidza naMozisi kuti utipe maguta atingagara namafuro emombe dzedu.” Saka sokurayira kwakanga kwaita Jehovha, vaIsraeri vakapa vaRevhi panhaka dzavo maguta anotevera namafuro kubva panhaka yavo: Mugove wokutanga wakapiwa vaKohati, imba neimba. VaRevhi, avo vakanga vari zvizvarwa zvaAroni muprista, vakagoverwa nemijenya maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aJudha, aSimeoni naBhenjamini, Ruzhinji rwezvizvarwa zvaKohati vakagoverwa nemijenya maguta gumi pakati pemhuri dzamarudzi aEfuremu, aDhani norudzi rwehafu rwaManase. Zvizvarwa zvaGerishoni zvakagoverwawo nemijenya maguta gumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsraeri, rwaAsheri, rwaNafutari, norudzi rwehafu rwaManase muBhashani. Zvizvarwa zvaMerari zvakapiwa maguta gumi namaviri kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni, imba neimba. Saka vaIsraeri vakagovera maguta aya namafuro awo, nemijenya kuvaRevhi sezvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Kubva pamarudzi avaJudha navaSimeoni, vakavapa maguta akarehwa namazita awo pano. (maguta aya akapiwa kuzvizvarwa zvaAroni zvaibva kumhuri yaKohati vari vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya): Vakavapa Kiriati Abha (iro Hebhuroni), namafuro akaripoteredza, munyika yamakomo yaJudha. (Abha ndiye akanga ari tateguru wavaAnaki.) Asi minda nemisha yakapoteredza guta zvakanga zvapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune. Saka vakapa zvizvarwa zvomuprista Aroni Hebhuroni (guta routiziro kune anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Ribhina, Jatiri, Eshitema, Horoni, Dhebhiri, Aini, Juta neBheti Shemeshi, pamwe chete namafuro awo, maguta mapfumbamwe kubva pamarudzi maviri aya. Kubva parudzi rwaBhenjamini, vakavapa Gibheoni, Gebha, Anatoti, neArimoni, pamwe chete namafuro awo, maguta mana. Maguta ose avaprista, izvo zvizvarwa zvaAroni muprista akanga ari gumi namatatu, pamwe chete namafuro awo. Vakasara vedzimba dzavaKohati, vorudzi rwaRevhi vakagoverwa maguta kurudzi rwaEfuremu: Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa (Shekemu guta routiziro rouya anopomerwa mhosva yokuuraya munhu) neGezeri, Kibhizaimi neBheti Horoni, pamwe namafuro awo, maguta mana. Uyewo kubva parudzi rwaDhani vakapiwazve Eriteki, Gibheoni, Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta mana. Pakati kuhafu yorudzi rwaManase vakapiwa Taanaki neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta maviri. Maguta ose aya ari gumi pamwe chete namafuro aro akapiwa kuna vakasara vedzimba dzaKohati. Dzimba dzavaRevhi dzokwaGerishoni dzakapiwa: kubva kurudzi rwehafu rwaManase, Gorani muBhashani (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu) neBhe Eshitara, pamwe chete namafuro awo, maguta maviri; kubva kurudzi rwaIsakari, Kishioni, Dhabhera, Jamuti neEri Ganimi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana; Kubva kurudzi rwaAsheri, Mishari, Abhudhoni, Herikati neRehobhi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana; kubva kurudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Hamoti Dhori neKaritani, pamwe chete namafuro awo, maguta matatu. Maguta ose emhuri dzavaGerishoni akanga ari gumi namatatu pamwe chete namafuro awo. Dzimba dzavaMerari (vakasara vavaRevhi) vakapiwa: kubva kurudzi rwaZebhuruni, Jokineami, Katira, Dhimina neNaharari, pamwe chete namafuro awo, maguta mana; kubva kurudzi rwaRubheni, Bhezeri, Jahazi, Kedhemoti neMefaati, pamwe chete namafuro awo, maguta mana; kubva kurudzi rwaGadhi, Ramoti muGireadhi (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), Heshibhoni neJazeri, pamwe chete namafuro awo, maguta mana pamwe chete. Maguta ose akanga agoverwa dzimba dzavaMerari, avo vakanga vari vaRevhi vakasara, akanga ari gumi namaviri. Maguta avaRevhi munyika yaiva yavaIsraeri aiva makumi mana namasere pamwe chete namafuro awo. Rimwe nerimwe ramaguta aya rakanga rakapoteredzwa namafuro; ndizvo zvakanga zvakaita maguta ose aya. Saka Jehovha akapa vaIsraeri nyika yose yaakanga apika kuti achapa madzitateguru avo, ikava yavo vakagara mairi. Jehovha akavapa zororo kumativi ose, sezvaakanga apikira madzitateguru avo. Hapana kana muvengi wavo mumwe chete akamira pamberi pavo; Jehovha akaisa vavengi vavo vose mumaoko mavo. Hakuna kana chinhu chimwe chete zvacho chezvinhu zvakanaka zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuimba yaIsraeri chakakona; zvose zvakazadziswa. Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi norudzi rwehafu rwaManase akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarayirwa naMozisi muranda waJehovha uye makateerera zvose zvandakakurayirai. Kwenguva refu, kusvikira nhasi, hamuna kurasa hama dzenyu, asi makaita zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu. Zvino Jehovha Mwari wenyu zvaakazorodza hama dzenyu sezvaakavimbisa, imi chidzokerai kumisha yenyu munyika yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha mhiri kweJorodhani. Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose.” Ipapo Joshua akavaropafadza akati vaende havo, ivo vakaenda kumisha yavo. (Rudzi rwehafu rwaManase, Mozisi akanga apa nyika yomuBhashani, uye imwe hafu yorudzi rwaManase yakapiwa nyika naJoshua kumavirazuva pamwe chete nehama dzavo.) Joshua akati avaendesa kumusha, akavaropafadza, achiti, “Dzokerai kumisha yenyu nepfuma yenyu zhinji, nemombe dzakawanda, nesirivha, negoridhe, ndarira nesimbi, nenhumbi dzakawanda chose, mundogovana nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.” Saka vaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase vakasiya vaIsraeri paShiro munyika yeKenani vakadzokera kunyika yeGireadhi, nyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Vakati vasvika paGeriroti pedyo neJorodhani munyika yeKenani, vaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase vakavaka aritari huru kwazvo ipapo paJorodhani. Zvino vaIsraeri vakati vanzwa kuti vakanga vavaka aritari pamuganhu weKenani paGeriroti pedyo neJorodhani kudivi reIsraeri, ungano yose yavaIsraeri yakaungana paShiro kuti vaende kundorwa navo. Naizvozvo vaIsraeri vakatuma Finehasi mwanakomana womuprista Ereazari, kunyika yeGireadhi, kuna Rubheni, naGadhi nokurudzi rwehafu rwaManase. Akatumwa iye pamwe chete navakuru vamachinda gumi, mumwe chete akamirira rudzi rumwe chete rwavaIsraeri, mumwe nomumwe wavo ari mukuru weimba pakati pamarudzi aIsraeri. Vakati vaenda kuGireadhi, kuna Rubheni, Gadhi norudzi rwehafu rwaManase, vakati kwavari, “Ungano yose yaJehovha inoti, ‘Makarasirei kutenda muna Mwari waIsraeri sezvizvi? Mungadzokera shure seiko muchibva kuna Jehovha mukazvivakira aritari muchimumukira zvino. Ko, chivi chepaPeori chakanga chisina kutiringana here? Kusvikira pazuva ranhasi hatina kuzvichenesa pachivi ichocho kunyange zvazvo hasha dzakawira ungano yaJehovha! Ko, zvino mava kutsauka kubva pana Jehovha here? “ ‘Kana mukamukira Jehovha nhasi, mangwana achatsamwira ungano yose yavaIsraeri. Kana nyika yamunayo yakasvibiswa, yambukirai kuno kunyika yaJehovha, kwakamira tabhenakeri yaJehovha mugogovana nyika nesu. Asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe aritari parutivi rwearitari yaJehovha Mwari wedu. Akani mwanakomana waZera paakadarika nokusatenda pachinhu chakatsaurwa naJehovha, kutsamwa hakuna kuwira ungano yose yaIsraeri here? Haasi iye oga akafira chivi chake.’ ” Ipapo Rubheni, Gadhi norudzi rwehafu rwaManase vakapindura vakuru vedzimba dzaIsraeri vakati, “Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Anoziva! Uye Israeri ngaizive! Kana izvi kwanga kuri kumukira kana kusateerera Jehovha, musatiponesa nhasi. Kana takazvivakira aritari yedu kuti tifuratire Jehovha uye kuti tipe zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, kana kuti tibayire zvibayiro zvokuwadzana pamusoro payo, Jehovha pachake ngaatitonge. “Kwete! Takazviita tichitya kuti rimwe zuva zvizvarwa zvenyu zvichazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Mune chii chokuita naJehovha Mwari waIsraeri? Jehovha akaita kuti Jorodhani uve muganhu pakati pedu nemi, imi vaRubheni navaGadhi! Hamuna mugove muna Jehovha.’ Saka zvizvarwa zvenyu zvingangokonzera kuti zvizvarwa zvedu zvirege kutya Jehovha. “Ndokusaka takati, ‘Ngatizvigadzirirei tivake aritari, asi isiri yezvipiriso zvinopiswa kana yezvibayiro.’ Asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi uye napakati pezvizvarwa zvedu zvinotevera, kuti tichanamata Jehovha panzvimbo yake tsvene, nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro uye nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo panguva inouya zvizvarwa zvenyu hazvingazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Hamuna mugove muna Jehovha.’ “Uye isu tikati, ‘Kana vakazotaura izvo kwatiri, kana kuzvizvarwa zvedu, tichazopindura tichiti: Tarirai muone mufananidzo wearitari yaJehovha, wakaitwa namadzibaba edu; usiri wezvipiriso zvinopiswa kana wokubayira ipapo, asi sechapupu pakati pedu nemi.’ “Ngazvirege kutomboitika kuti isu timukire Jehovha tichitsauka nhasi kubva kwaari nokuvaka aritari yezvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, nezvibayiro kunze kwearitari yaJehovha Mwari wedu, imire pamberi petabhenakeri yake.” Finehasi muprista, navatungamiri veungano, vakuru vemhuri dzavaIsraeri, vakati vanzwa zvakanga zvataurwa naRubheni naGadhi naManase, vakafara. Zvino Finehasi mwanakomana waEreazari, muprista, akati kuna Rubheni, Gadhi naManase, “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kutadzira Jehovha pachinhu ichi. Zvino madzikinura vana vaIsraeri paruoko rwaJehovha.” Ipapo Finehasi, mwanakomana waEreazari muprista, navatungamiri vakadzokera kuKenani, vachibva kumusangano wavo navaRubheni navaGadhi muGireadhi uye vakandozivisa vaIsraeri zvakanga zvaitika. Vakafara kunzwa shoko iri vakarumbidza Mwari. Uye havana kuzotaurazve kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika yakanga igere vaRubheni navaGadhi. Zvino vaRubheni navanakomana vaGadhi vakatumidza aritari iyi kuti: Aritari yeChapupu Pakati Pedu kuti Jehovha ndiye Mwari. Zvino mazuva mazhinji akati apfuura uye Jehovha akanga azorodza vaIsraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, Joshua akanga akwegura kwazvo ava namakore mazhinji panguva iyoyo. Akadana vaIsraeri vose, vakuru vavo, navatungamiri vavo, vatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura uye ndava namakore mazhinji. Imi pachenyu makaona zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kunyika idzi dzose nokuda kwenyu; ndiJehovha Mwari wenyu akakurwirai. Rangarirai kuti ndakakugoverai kuti ive nhaka yamarudzi enyu, nyika yose yendudzi dzakasara, ndudzi dzandakakunda pakati peJorodhani neGungwa Guru kumavirazuva. Jehovha Mwari pachake achavadzinga pamberi penyu. Achavabvisa pamberi penyu, uye imi muchatora nyika yavo ive yenyu, sezvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu. “Simbai kwazvo; muchenjerere kuti muteerere zvose zvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi, musingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe. Musafambidzana nendudzi dzakasara pakati penyu, kana kudana kumazita avamwari vavo, kana kupika navo. Hamufaniri kuvashumira, kana kuvapfugamira. Asi namatirai pana Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita kusvikira nhasi. “Jehovha akadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaive nesimba, asi kana muri imi hakuna munhu akagona kumira pamberi penyu kusvikira nhasi. Munhu mumwe chete kwamuri achadzinga vanhu vane chiuru, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anokurwirai sezvaakavimbisa. Saka chenjererai kuti mude Jehovha Mwari wenyu. Asi kana mukangodzokera mukandobatana navakasara vendudzi idzi, dzigere pakati penyu uye kana mukawanana navo mukafambidzana navo, ipapo zvirokwazvo Jehovha Mwari wenyu haangazodzingi ndudzi pamberi penyu. Asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kumisana yenyu neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika ino yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu. “Zvino ini ndava kuenda nenzira yenyika yose. Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu chakakona. Asi sezvo zvakanaka zvose zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu zvakaitika, saizvozvo Jehovha achauyisa pamusoro penyu zvakaipa zvose zvaakareva kusvikira akuparadzai panyika iyi yakanaka, yaakakupai. Kana mukaputsa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurayirai, mukandoshumira vamwe vamwari uye mukavapfugamira kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kuparara panyika yakanaka yaakakupai.” Ipapo Joshua akaunganidza marudzi ose aIsraeri paShekemu. Akadana vakuru vavaIsraeri, vatungamiri, vatongi, navatariri vavo vakazviisa pamberi paMwari. Joshua akati kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Kare madzitateguru enyu pamwe chete naTera, baba vaAbhurahama naNahori, vaigara mhiri kwoRwizi vachishumira vamwe vamwari. Asi ndakatora baba wenyu Abhurahama kubva kunyika iri mhiri kweRwizi ndikamufambisa munyika yose yeKenani ndikamupa vana vazhinji. Ndakamupa Isaka, uye kuna Isaka ndakapa Jakobho naEsau. Ndakapa Esau nyika yezvikomo yeSeiri, asi Jakobho navanakomana vake vakaenda kuIjipiti. “ ‘Ipapo ndakatuma Mozisi naAroni uye ndakatambudza vaIjipita nezvandakaita ikoko, uye ndakakubudisai. Pandakabudisa madzibaba enyu muIjipiti, akasvika pagungwa, vaIjipita vakavatevera vaine ngoro navatasvi vamabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku. Asi ivo vakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipita; akauyisa gungwa pamusoro pavo rikavafukidza. Makaona nameso enyu chaiwo zvandakaita kuvaIjipita. Ipapo makagara murenje kwenguva refu. “ ‘Ndakauya nemi kunyika yavaAmori vaigara kumabvazuva kweJorodhani. Vakakurwisai asi ndakavaisa mumaoko enyu. Ndakavaparadza pamberi penyu, imi mukatora nyika yavo. Zvino Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu, akati agadzirira kundorwa naIsraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori kuti akutukei. Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo akaramba achingokuropafadzai, ini ndikakurwirai paruoko rwake. “ ‘Ipapo makayambuka Jorodhani, mukasvika paJeriko. Vanhu veJeriko vakarwa nemi, sezvakaitawo vaAmori, vaPerizi, vaKenani, vaHiti, vaGirigashi, vaHivhi navaJebhusi, asi ndakavaisa mumaoko enyu. Ndakatuma mago pamberi penyu, iwo akavadzinga pamberi penyu, uyezve madzimambo maviri avaAmori. Hamuna kuzviita nomunondo wenyu kana nouta hwenyu. Saka ndakakupai nyika yamusina kushandira namaguta amusina kuvaka; uye mugere maari uye munodya zvinobva muminda yemizambiringa nemiorivhi yamusina kusima.’ “Zvino ityai Jehovha uye mumushumire nokutendeka kwose. Rasai vamwari vainamatwa namadzitateguru enyu mhiri kworwizi nokuIjipiti, uye mushumire Jehovha. Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha.” Ipapo vanhu vakapindura vachiti, “Ngazvive kure nesu kuti tisiye Jehovha kuti tishumire vamwe vamwari! Jehovha Mwari wedu pachake, ndiye akatibudisa isu namadzibaba edu kubva muIjipiti, nyika youranda, uye akaita zviratidzo zvikuru zvatakaona. Akatidzivirira parwendo rwedu rwose rwatakafamba pakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri. Uye Jehovha akadzinga pamberi pedu ndudzi dzose pamwe chete navaAmori vakanga vagere munyika ino. Nesuwo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu.” Joshua akapindura vanhu achiti, “Hamungagoni kushumira Jehovha. NdiMwari mutsvene; ndiMwari ane godo. Haangakukanganwirei kumumukira kwenyu nezvivi zvenyu. Kana mukarasa Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye achakupindukirai agouyisa njodzi pamusoro penyu agokuparadzai.” Asi vanhu vakati kuna Joshua, “Kwete! Isu tichashumira Jehovha.” Ipapo Joshua akati, “Ndimi zvapupu zvezvamaita kuti masarudza kushumira Jehovha.” Ivo vakapindura vachiti, “Hongu, tiri zvapupu.” Joshua akati, “Naizvozvo rasai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere mwoyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsraeri.” Vanhu vakati kuna Joshua, “Tichashumira Jehovha Mwari wedu, uye tichamuteerera.” Pazuva iro Joshua akaitira vanhu sungano, akavadzikira mitemo nemirayiro ipapo paShekemu. Joshua akanyora mashoko aya mubhuku romurayiro waMwari. Ipapo akatora ibwe guru akariisa pasi pomuouki, pedyo nenzvimbo tsvene yaJehovha. Akati kuvanhu vose, “Tarirai! Ibwe iri richava chapupu pamusoro pedu. Ranzwa mashoko ose ataurwa naJehovha kwatiri. Richava chapupu pamusoro penyu kana musina kutendeka kuna Mwari wenyu.” Ipapo Joshua akaendesa vanhu, mumwe nomumwe kunhaka yake. Mushure mezvinhu izvi Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi. Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTimunati Sera, munyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kweGomo reGaashi. VaIsraeri vakashumira Jehovha nguva dzose dzoupenyu hwaJoshua, uye napamazuva ose avakuru vakasara vari vapenyu Joshua afa, avo vakaona zvinhu zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha. Mapfupa aJosefa, ayo akanga auyiwa nawo navana vaIsraeri kubva kuIjipiti, akavigwa paShekemu, munzvimbo yakanga yatengwa naJakobho kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari yesirivha. Iyi yakava nhaka yezvizvarwa zvaJosefa. Uye Ereazari mwanakomana waAroni akafa, akavigwa paGibhea munzvimbo yakanga yapiwa mwanakomana wake Finehasi, munyika yamakomo yaEfuremu. Mushure mokufa kwaJoshua, vaIsraeri vakabvunza Jehovha vakati, “Ndiani pakati pedu achatanga kukwira kundorwa navaKenani?” Jehovha akapindura akati, “Judha ngaaende; ndapa nyika mumaoko avo.” Ipapo varume veJudha vakati kuvaSimeoni hama dzavo, “Ngatiendei tose kunyika yatakagoverwa, kuti tindorwa navaKenani. Nesuwo tichaenda nemi kumugove wenyu.” Saka vaSimeoni vakaenda navo. Judha paakarwisa, Jehovha akaisa vaKenani navaPerizi mumaoko avo uye vakauraya varume zviuru gumi paBhezeki. Ipapo ndipo pavakawana Adhoni Bhezeki vakarwa naye. Adhoni Bhezeki akatiza, asi vakamudzinganisa vakamubata, vakagura zvigunwe zvake zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvake zvikuru zvomumakumbo. Ipapo Adhoni Bhezeki akati, “Madzimambo makumi manomwe, vagurwa zvigunwe zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvikuru zvokumakumbo, vakanonga zvimedu zvezvokudya pasi petafura yangu. Zvino Mwari anditsiva pane zvandakaita kwavari.” Vakaenda naye kuJerusarema akandofira ikoko. Varume veJudha vakarwisawo Jerusarema vakaritora. Vakakunda guta nomunondo uye vakaripisa. Shure kwaizvozvo, varume veJudha vakaburuka vakandorwa navaKenani vaigara munyika yezvikomo, kuNegevhi uye nomujinga mezvikomo zvokumavirira. Vakaenda vakandorwa navaKenani vaigara muHebhuroni (rainzi Kiriati Abha kare) vakakunda Sheshai, Dhimani neTarimai. Vachibva ipapo, vakaenda vakandorwa navanhu vaigara muDhebhiri (rainzi Kiriati Seferi kare.) Uye Karebhu akati, “Ndichapa mwanasikana wangu Akisa kuti ave mukadzi kumurume acharwisa uye achatapa Kiriati Seferi.” Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu, akarikunda, saka Karebhu akapa mwanasikana wake Akisa kuti awanikwe naye. Rimwe zuva akati achisvika kuna Otinieri, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake. Akati aburuka pambongoro yake, Karebhu akamubvunza akati, “Ndingakuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ndiitirei zvakanaka. Sezvo makandipa nyika kuNegevhi, ndipeiwo matsime emvura.” Ipapo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi. Zvizvarwa zvatezvara vaMozisi, vaKeni, vakakwira vachibva kuGuta reMichindwe vaine varume veJudha kuti vandogara pakati pavanhu vokuGwenga reJudha riri kuNegevhi pedyo neAradhi. Ipapo varume veJudha vakaenda navaSimeoni hama dzavo vakandorwisa vaKenani vaigara muZefati, uye vakaparadza guta iri zvachose. Naizvozvo rakatumidzwa kuti Horima. Varume veJudha vakakundazve Gaza, Ashikeroni neEkironi, guta rimwe nerimwe nenyika yaro. Jehovha akanga ana vanhu veJudha. Vakatora nyika yezvikomo kuti ive yavo, asi havana kugona kudzinga vanhu vaibva mumapani, nokuti vakanga vane ngoro dzesimbi. Sokuvimbisa kwaMozisi, Hebhuroni yakapiwa kuna Karebhu, uyo akabudisa mairi vanakomana vatatu vaAnaki. Kunyange zvakadaro, vaBhenjamini vakatadza kudzinga vaJebhusi, vaigara muJerusarema; kusvikira nhasi vaJebhusi vageremo navaBhenjamini. Zvino veimba yaJakobho vakarwisa Bheteri, uye Jehovha aiva navo. Vakati vatuma vanhu kundoshora Bheteri (rainzi Ruzi kare), Vashori vakaona murume achibuda muguta vakati kwaari, “Tiratidze kuti tingapinda sei muguta tigokuitira zvakanaka.” Saka akavaratidza, uye ivo vakakunda guta nomunondo asi vakaponesa murume uya nemhuri yake. Ipapo akaenda kunyika yavaHiti, kwaakandovaka guta akaritumidza kuti Ruzi, rinova ndiro zita raro nanhasi. Asi Manase haana kudzinga vanhu veBheti Shani kana veTanaki kana veDhori kana veIbhireami kana veMegidho uye nenzvimbo dzavo dzokugara dzakapoteredza, nokuti vaKenani vakanga vazvipira kuti vagare munyika iyoyo. VaIsraeri vakati vasimba vakamanikidza vaKenani kuti vashande basa rechibharo asi havana kumbovadzinga zvachose. Uye Efuremu haana kudzingawo vaKenani vaigara muGeeri, asi vaKenani vakaramba vagere pakati pavo. NaZebhuruniwo haana kudzinga vaKenani vaigara muKitironi kana vaNaharori, vakaramba vagere pakati pavo; asi vakaita kuti vaite basa rechibharo. Uye Asheri haanawo kudzinga vaya vaigara muAko kana veSidhoni kana Ahirabhi kana Akizibhi kana Heribha kana Afeki kana Rehobhi, uye nokuda kwaizvozvo vanhu veAsheri vakagara pakati pavaKenani avo vaigara munyika. Nafutari haana kudzinga avo vaigara muBheti Shemeshi kana muBheti Anati; asi vaNafutari vakagarawo pakati pavaKenani vaigara munyika, uye vaya vaigara muBheti Shemeshi neBheti Anati vakava vashandi vebasa rechibharo. VaAmori vakasundira vaDhani kunyika yezvikomo, vakasavatendera kuburuka kuti vauye kumapani. Uye vaAmori vakashingirira kuti varambe vari muGomo reHeresi, Aijaroni neShaaribhimi, asi simba reimba yaJosefa rakati richiwanda, naivowo vakamanikidzwa kushanda basa rechibharo. Muganhu wavaAmori waibva paMupata weChinyavada uchisvika kuSera uye uchipfuurira mberi. Mutumwa waJehovha akakwira achibva kuGirigari akaenda kuBhokimi akati, “Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye ndikakutungamirirai munyika yandakapikira madzitateguru enyu. Ndakati, ‘Handichazomboputsi sungano yangu nemi, uye imi musazoita sungano navanhu venyika ino, asi munofanira kuputsa aritari dzavo.’ Asi hamuna kunditeerera. Makaitireiko izvozvo? Naizvozvo zvino ndinokuudzai kuti handichazovadzingi pamberi penyu, vachava minzwa kumativi enyu uye vamwe vavo vachava musungo kwamuri.” Mutumwa waJehovha akati ataura zvinhu izvi kuvaIsraeri vose, vanhu vakachema kwazvo, uye vakatumidza nzvimbo iyo kuti Bhokimi. Ipapo, vakabayira zvipiriso kuna Jehovha. Shure kwokunge Joshua ati vaIsraeri vaende, vakaenda vakandotora nyika, mumwe nomumwe kunhaka yake. Vanhu vakashumira mazuva ose okurarama kwaJoshua uye napamazuva avakuru vakasara vari vapenyu uye vakanga vaona zvinhu zvikuru zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha. Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi rimwe chete. Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTiminati Heresi munyika yezvikomo yeEfuremu, kumusoro kweGomo reGaashi. Mushure mokunge rudzi rwose rwasanganiswa namadzibaba arwo, rumwe rudzi rwakanga rusingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri rwakamuka. Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari. Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vamarudzi akanga akavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha. Nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti. Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa. Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika pamusoro pavo. Vakanga vari munhamo huru. Ipapo Jehovha akavamutsira vatongi vakavaponesa kubva mumaoko avapambi ava. Kunyange zvakadaro havana kuzoteerera kuvatongi vavo asi vakaita ufeve navamwe vamwari uye vakavanamata. Havana kuita samadzibaba avo, nokuti vakakurumidza kutsauka munzira yaifamba madzibaba avo, nzira yokuteerera kumirayiro yaJehovha. Pose pavaimutsirwa mutongi naJehovha, iye aiva nomutongi uyo, uye aivaponesa kubva mumaoko avavengi vavo, mutongi paainge achiri mupenyu; nokuti Jehovha ainge avanzwira ngoni pavaigomera vari pasi pavaya vaivadzvinyirira nokuvanetsa. Asi mutongi paainge afa, vanhu vaidzokera kunzira dzakaipisisa kupinda dziya dzamadzibaba avo, vachitevera vamwe vamwari, vachivashandira uye vachivanamata. Vakaramba kusiya mabasa avo akaipa nokusindimara kwemwoyo yavo. Naizvozvo Jehovha akavatsamwira zvikuru akati, “Nemhaka yokuti rudzi urwu rwakaputsa sungano yangu yandakaita namadzitateguru avo uye vakasanditeerera, handichadzingizve pamberi pavo rudzi rupi zvarwo rwedzimwe ndudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake. Ndichavashandisa kuti vaedze vaIsraeri, kuti ndione kuti vachachengeta here nzira yaJehovha vagofamba mairi sezvakaitwa namadzitateguru avo.” Jehovha akatendera ndudzi idzo kuti dzisare; haana kudzidzinga pakarepo uye haana kudziisa mumaoko aJoshua. Idzi ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehovha kuti aedze vaIsraeri vaya vose vakanga vasina kumboziva kana hondo ipi zvayo muKenani, (akaita izvi bedzi kuti adzidzise zvehondo kuzvizvarwa zvavaIsraeri izvo zvakanga zvisina kumborwa hondo): vatongi vashanu vavaFiristia, vaKenani vose, vaSidhoni, uye vaHivhi vaigara mumakomo eRebhanoni kubva paGomo reBhaari Herimoni kusvikira kuRebho Hamati. Vakasiyiwa kuti vaedze vaIsraeri kuti aone kana vaizoteerera mirayiro yaJehovha, yaakanga apa madzitateguru avo kubudikidza naMozisi. VaIsraeri vakagara pakati pavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. Vakatora vanasikana vavo kuti vave vakadzi vavo uye vakapa vanasikana vavowo kuvanakomana vavo, uye vakashumira vamwari vavo. VaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha; vakakanganwa Jehovha Mwari wavo vakashumira vaBhaari navaAshera. Kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro paIsraeri zvokuti akavatengesa mumaoko aKushani-Rishataimi mambo weAramu Naharaimi, avo vakashandirwa navaIsraeri kwamakore masere. Asi vakati vachema kuna Jehovha, akavamutsira musununguri, Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu, uyo akavaponesa. Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake kuti ave mutongi weIsraeri uye akaenda kuhondo. Jehovha akaisa KushaniRishataimi mambo wavaAramu mumaoko aOtinieri, akamukunda. Saka nyika yakava norugare kwamakore makumi mana, kusvikira Otinieri mwanakomana waKenazi afa. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye nokuda kwokuti vakaita zvakaipa izvi, Jehovha akapa simba kuna Egironi mambo weMoabhu kuti akunde Israeri. Egironi akatora vaAmoni navaAmareki kuti vaende naye kundorwisa Israeri, uye vakatora Guta reMichindwe kuti rive ravo. VaIsraeri vakava varanda vaEgironi mambo weMoabhu kwamakore gumi namasere. VaIsraeri vakachemazve kuna Jehovha, iye akavapa musununguri, Ehudhi murume aiva neziboshwe, mwanakomana waGera muBhenjamini. VaIsraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu. Zvino Ehudhi akanga aita munondo wakarodzwa kumativi ose uchikarosvika kubhiti rimwe chetea pakurega kwawo waakanga akasungira pasi penguvo dzake pachidya chake chokurudyi. Akapa mutero kuna Egironi mambo weMoabhu, murume akanga akafuta kwazvo. Mushure mokunge Ehudhi apa mutero, akati vanhu vakanga vauya vakatakura mutero wacho vaende. Pazvifananidzo zvaiva pedyo neGirigari iye pachake akadzoka akati, “Ndine shoko renyu rakavanzika, imi mambo.” Mambo akati, “Nyararai!” uye varanda vake vose vakamusiya. Ipapo Ehudhi akaswedera kwaari iye agere ari oga muimba yake yapamusoro yomuzinda wake wenguva yezhizha akati, “Ndine shoko renyu rabva kuna Mwari,” Mambo akati achisimuka achibva pachigaro chake, Ehudhi akatambanudza ruoko rwake rworuboshwe, akavhomora munondo kubva pachidya chake chokurudyi akaunyudza mudumbu ramambo. Kunyange chibato chomunondo chakanyura chichitevera chese, ukandobuda nokumusana kwake. Ehudhi haana kuvhomora munondo, uye mafuta akaputira pamusoro pawo. Ipapo Ehudhi akabuda akaenda kubiravira; akapfiga mikova yeimba yapamusoro shure kwake akaikiya. Mushure mokuenda kwake, varanda vakasvika vakawana mikova yeimba yapamusoro yakiyiwa. Ivo vakati mumwoyo mavo, “Anofanira kunge achimbozvizorodza zvake ari mukamuri romukati reimba.” Vakarindira kusvikira vanyadziswa nazvo asi paakarega kuzarura mikova yekamuri, vakatora kiyi vakaikiyinura. Onei ipapo ishe wavo akawira pasi, afa. Vachakamirira, Ehudhi akaenda. Akapfuura napazvifananidzo akapunyuka akaenda kuSeira. Akati asvika ikoko, akaridza hwamanda ari munyika yezvikomo yeEfuremu, uye vaIsraeri vakaburuka naye vachibva kuzvikomo, iye achivatungamirira. Akati kwavari, “Nditeverei, nokuti Jehovha aisa Moabhu muvengi wenyu, mumaoko enyu.” Saka vakaburuka vakamutevera, uye vakatora mazambuko eJorodhani okuenda kuMoabhu, vakasatendera munhu kuyambuka. Panguva iyoyo vakauraya zviuru zvinenge gumi zvavaMoabhu, vose vakanga vakagwinya uye vane simba; hapana akapunyuka. Zuva iroro Moabhu yakava pasi peIsraeri, uye nyika yakava norugare kwamakore makumi masere. Shure kwaEhudhi kwakauya Shamuga mwanakomana waAnati, uyo akauraya vaFiristia mazana matanhatu norutanda rwokubaya narwo mombe. Naiyewo akaponesa Israeri. Shure kwokufa kwaEhudhi, vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akavatengesa mumaoko aJabhani, mambo weKenani, aitonga ari muHazori. Mukuru wehondo yake akanga ari Sisera, uyo aigara muHarosheti Hagoyimi. Nokuda kwokuti akanga ane ngoro dzesimbi mazana mapfumbamwe uye akadzvinyirira vaIsraeri zvakaipisisa kwazvo, vakachemera rubatsiro kuna Jehovha. Dhibhora, muprofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, akanga achitungamirira vaIsraeri panguva iyoyo. Aitonga mhaka ari pasi poMuchindwe waDhibhora pakati peRama neBheteri munyika yezvikomo yaEfuremu, uye vaIsraeri vaiuya kwaari kuzotongerwa mhosva dzavo. Iye akatuma shoko kuna Bharaki mwanakomana waAbhinoaomi aibva kuKadheshi muNafutari uye akati kwaari, “Enda undotora zviuru gumi zvavarume veNafutari neveZebhuruni ugovatungamirira kuGomo reTabhori. Ndichakwezva Sisera, mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake uye namauto ake kuRwizi rweKishoni ndigomuisa mumaoko ako.” Bharaki akati kwaari, “Kana imi mukaenda neni, ini ndichaenda; asi kana musingaendi neni, neni handingaendi.” Dhibhora akati, “Zvakanaka hazvo, ndichaenda newe. Asi nokuda kwenzira yauri kuda kuita nayo izvi, kukudzwa hakungavi kwako, nokuti Jehovha achaisa Sisera muruoko rwomukadzi.” Saka Dhibhora akaenda naBharaki kuKadheshi, uko kwaakandodana Zebhuruni naNafutari. Varume zviuru gumi vakamutevera, naDhibhorawo akaenda naye. Zvino Hebha muKeni akanga asiya vamwe vaKeni, zvizvarwa zvaHobhabhi, hanzvadzi yomukadzi waMozisi akandodzika tende rake pamuti mukuru muZaananimi pedyo neKadheshi. Vakati vaudza Sisera kuti Bharaki mwanakomana waAbhinoami akanga akwira kuGomo reTabhori, Sisera akaunganidza pamwe chete ngoro dzesimbi mazana mapfumbamwe navarume vose vaaiva navo, kubva kuHarosheti Hagoyimi kusvikira kuRwizi rweKishoni. Ipapo Dhibhora akati kuna Bharaki, “Enda! Iri ndiro zuva rapiwa Sisera mumaoko ako naJehovha. Ko, Jehovha haasi mberi kwako here?” Saka Bharaki akaburuka muGomo reTabhori, achiteverwa navarume zviuru gumi. Pakungofamba kwaBharaki, Jehovha akakunda nomunondo Sisera nengoro dzake dzose nehondo yake, uye Sisera akasiya ngoro yake akatiza netsoka. Asi Bharati akatevera ngoro nehondo yaSisera akandosvika kuHarosheti Hagoyimi. Mauto ose aSisera akaurayiwa nomunondo; hapana munhu akasara. Kunyange zvakadaro hazvo, Sisera akatiza netsoka akaenda kutende raJaeri, mukadzi waHebha muKeni. Jaeri akabuda kuti andosangana naSisera akati kwaari, “Uyai ishe wangu, pindai zvenyu mukati chaimo. Musatya.” Saka akapinda mutende rake, uye akaisa chifukidzo pamusoro pake. Akati, “Ndine nyota. Ndapota, ndipeiwo mvura.” Iye akadziura dende romukaka, akamupa kuti anwe, ndokubva amufukidza hake. Iye akati kwaari, “Mira pamukova wetende. Kana mumwe munhu akauya pano akakubvunza achiti, ‘Pano munhu here pano?’ uti, ‘Kwete.’ ” Asi Jaeri, mukadzi waHebha, akatora mbambo yetende nenyundo akaenda paari chinyararire, iye akafa nehope, aneta. Akaroverera mbambo napachavovo, ikanyura muvhu, akafa. Bharaki akasvika achitevera Sisera, uye Jaeri akabuda kundomuchingamidza, achiti, “Uyai, ndizokuratidzai munhu wamuri kutsvaka.” Saka akapinda naye mukati, onei hoyo Sisera avete uye mbambo yetende iri muchavovo chake, afa. Pazuva iro, Mwari akakunda Jabhini, mambo wavaKenani, pamberi pavaIsraeri. Uye ruoko rwavaIsraeri rwakaramba ruchiwedzera simba pakurwisa Jabhini, mambo wavaKenani kusvikira vamuparadza. Nomusi uyo Dhibhora naBharati mwanakomana waAbhinoami vakaimba rwiyo urwu runoti: “Kana machinda aIsraeri achitungamirira, kana vanhu vachizvipira pachavo Jehovha, ngaarumbidzwe!” “Inzwai izvi, imi madzimambo! Teererai imi vatongi! Ndichaimbira Jehovha, ini ndichaimba; Ndichaimbira Jehovha, Mwari waIsraeri. “Haiwa Jehovha, pamakabuda kubva muSeiri, pamakafamba muchibva munyika yeEdhomu, Nyika yakadengenyeka, matenga akadurura, makore akadurura mvura pasi. Makomo akadengenyeka pamberi paJehovha, Iye weSinai, pamberi paJehovha, Mwari weIsraeri. “Mumazuva aShamugari mwanakomana waAnati, mumazuva aJaeri, migwagwa yakasiyiwa; vafambi vakafamba nenzira dzinopoterera. Upenyu hwomumisha hwakapera, hwakapera kusvikira ini Dhibhora, ndasimuka, ndasimuka ini mai muIsraeri. Pavakasarudza vamwari vatsva, hondo yakauya ichibva nokumasuo eguta, uye hakuna nhoo kana pfumo zvakaonekwa pakati pezviuru makumi mana muIsraeri. Mwoyo wangu uri pamachinda eIsraeri, navaya vanozvipira pakati pavanhu. Rumbidzai Jehovha! “Imi munotasva mbongoro chena, mugere pamachira ezvigaro zvenyu, nemi munofamba munzira, cherechedzai inzwi ravaimbi panzvimbo dzemvura. Vanodetemba mabasa akarurama aJehovha, Mabasa akarurama avarwi vake muIsraeri. “Ipapo vanhu vaJehovha vakaburuka vakaenda kusuo reguta. ‘Muka, muka, Dhibhora! Muka, muka, uimbe rwiyo! Simuka, Bharaki! Tapa vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinoami.’ “Ipapo varume vakanga vasara vakaburuka vakaenda kumakurukota; vanhu vaJehovha vakauya kwandiri navane simba. Vamwe vakauya vachibva kwaEfuremu, midzi yavo yakanga iri muna Amareki; Bhenjamini akanga ari pakati pavanhu vakakutevera iwe. Kubva kuna Makiri vatungamiri vakaburuka, kubva kuZebhuruni avo vanotakura tsvimbo yomutungamiri wehondo. Machinda aIsakari akanga ana Dhibhora; hongu Isakari akanga ana Bharaki, vachimhanyira kumupata vachimutevera. Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru. Seiko wakagara pakati pezvoto kuti unzwe muridzo unoridzirwa makwai? Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru. Gireadhi akagara mhiri kwaJorodhani. Uye Dhani, akasarireiko pazvikepe? Asha akasara zvake pamahombekombe Uye akagara zvake panopinda mvura dzegungwa. Vanhu veZebhuruni vakaisa upenyu hwavo panjodzi; neNafutari yakadarowo panzvimbo dzakakwirira dzeminda. “Madzimambo akauya, akarwa; madzimambo eKenani akarwa paTaanaki pamvura zhinji yeMegidho, asi havana kudzoka vakatakura sirivha, kana zvakapambwa. Kubva kumatenga nyeredzi dzakarwa, dziri panzira dzadzo dzakarwa naSisera. Rwizi Kishoni rwakavakukura, irwo rwizi rwakare, rwizi Kishoni. Pfuurira mberi, mweya wangu, simba! Ipapo mahwanda amabhiza akatinhira— kumhanya, kumhanya kwoune simba. Mutumwa waJehovha akati, ‘Tuka Merozi. Tuka vanhu varo zvikuru kwazvo, Nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha, kubatsira Jehovha kurwisa vane simba.’ Jaeri ngaave mukadzi akaropafadzwa zvikuru, iye mukadzi waHebheri muKeni, akaropafadzwa kwazvo kupfuura vakadzi vagere mutende. Akakumbira mvura, uye iye akamupa mukaka; akamuvigira mukaka wakakora mundiro yakafanira makurukota. Ruoko rwake rwakatambanudzirwa pambambo yetende, ruoko rwake rworudyi kunyundo yomuvezi. Akabaya Sisera, akapwanya musoro wake, akapwanya uye akabvoora zvavovo zvake. Patsoka dzake, akanyura, akawa; hoyo akatandavarapo. Patsoka dzake akanyura, akawa; paakanyura, ndipo paakawira, akafa. “Napawindo mai vaSisera vakadongorera; vari seri kworutanda, vakadanidzira vachiti, ‘Seiko ngoro yake yanonoka kusvika? Seiko kurira kwengoro dzake kwanonoka?’ Vakadzi vokwake vakachenjera kukunda vose vanomupindura; zvirokwazvo, anoramba achiti, ‘Ko, havasi kuwana nokugoverana zvakapambwa here vachiti, musikana mumwe chete kana vaviri pamurume mumwe chete, nguo dzina mavara dzezvakapambwa zvaSisera, nguo dzina mavara dzakarukwa, nguo dzakanyatsorukwa dzomutsipa wangu, zvose izvi zviri zvakapambwa?’ “Saka vavengi venyu vose ngavaparare, imi Jehovha! Asi vanokudai ngavave sezuva parinobuda nesimba raro.” Ipapo nyika yakava norugare kwamakore makumi mana. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye iye akavaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore manomwe. Nokuda kwokuti ruoko rwavaMidhiani rwakavadzvinyira kwazvo, vaIsraeri vakazvigadzirira nzvimbo dzokuvanda mumakomo, mumapako uye nenhare. VaIsraeri vaingoti vakadyara mbeu dzavo, vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva, vaiuya kuzorwisa nenyika yavo. Vakadzika misasa yavo munyika uye vakaparadza zvirimwa kubva kuGaza yose, uye havana kusiyira vaIsraeri chinhu, makwai, mombe kana mbongoro. Vakauya nezvipfuwo zvavo namatende avo vakawanda sechimhokoto chemhashu. Zvakanga zvisingagoneki kuti uverenge vanhu nengamera dzavo; vakapinda munyika kuti vaiparadze. VaMidhiani vakaita kuti vaIsraeri vave varombo zvokuti vakachema kuna Jehovha kuti avabatsire. VaIsraeri vakati vachema kuna Jehovha nokuda kwavaMidhiani, Iye akatuma muprofita, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndakakubudisai kubva muIjipiti, munyika youtapwa. Ndakakubvutai kubva musimba reIjipiti, nokubva muruoko rwavadzvinyiriri venyu vose. Ndakavadzinga pamberi penyu ndikakupai nyika yavo. Ndakati kwamuri, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu, musanamata vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo.’ Asi hamuna kunditeerera.” Mutumwa waJehovha akauya akagara pasi pomuouki muOfira raJoashi muAbhiezeri, paipurwa gorosi naGidheoni mwanakomana wake muchisviniro chewaini, kuti aivanze kubva kuvaMidhiani. Mutumwa waJehovha akati azviratidza kuna Gidheoni, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume wesimba noumhare.” Gidheoni akapindura akati, “Asika, ishe wangu, kana Jehovha anesu, seiko izvi zvose zvakaitika kwatiri? Zvishamiso zvake zvose zviripiko zvatakaudzwa namadzibaba edu pavakati, ‘Jehovha haana kutibudisa muIjipiti here?’ Asi zvino Jehovha akatisiya uye akatiisa muruoko rwavaMidhiani.” Jehovha akatendeukira kwaari akati, “Enda nesimba raunaro uponese Israeri muruoko rwavaMidhiani. Handizini ndakutuma here?” Gidheoni akabvunza akati, “Asika Ishe, ndingaponesa Israeri seiko? Imba yangu ndiyo dukusa maManase, uye ini ndiri mudukusa mumhuri yangu.” Jehovha akapindura akati, “Ndichava newe, uye iwe uchauraya vaMidhiani vose pamwe chete.” Gidheoni akapindura akati, “Zvino kana ndawana nyasha pamberi penyu, ndipei chiratidzo kuti ndizive kuti ndimi munotaura neni. Ndapota hangu, musabva pano kusvikira ndadzoka uye ndauya nechipiriso changu ndigochiisa pamberi penyu.” Uye Jehovha akati, “Ndichamira pano kusvikira wadzoka.” Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana, uye akaita chingwa chisina kuviriswa cheefaa youpfu hwakatsetseka. Akaisa nyama mudengu uye muto wayo akauisa muhari, akabuda nazvo akazvipa kwaari pasi pomuouki. Mutumwa waMwari akati kwaari, “Tora nyama nechingwa chisina mbiriso, uzviise paruware urwu, uye ugodirapo muto wacho.” Uye Gidheoni akaita saizvozvo. Mutumwa waJehovha akagunzwa nyama nechingwa chisina mbiriso nomuromo wetsvimbo yaiva muruoko rwake. Moto wakabuda paruware, ukapisa nyama nechingwa. Ipapo mutumwa waJehovha akanyangarika. Gidheoni akati aziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha, akadanidzira akati, “Maiwe, Ishe Jehovha! Ndaona mutumwa waJehovha chiso nechiso!” Asi Jehovha akati kwaari, “Rugare! Usatya. Hausi kuzofa.” Saka Gidheoni akavakira Jehovha aritari ipapo akaitumudza kuti Jehovha Ndiye Rugare. Nanhasi ichakamirapo muOfira ravaAbhiezeri. Usiku hwacho ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora hando yechipiri kubva pamombe dzababa vako iyo ina makore manomwe. Uputsire pasi aritari yababa vako yaBhaari uye ugotema danda raAshera riri pairi. Ipapo ugovakira Jehovha Mwari wako aritari kwayo pamusoro penhare iyi. Utore hando yechipiri ugoibayira sechipiriso chinopiswa uchishandisa huni dzedanda raAshera rawakatema.” Saka Gidheoni akatora varanda vake gumi akaita sezvaakaudzwa naJehovha. Asi nokuda kwokuti akanga achitya vemhuri yake uye navanhu vomuguta, akaita izvi usiku pano kuzviita masikati. Vanhu vomuguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona heyo aritari yaBhaari yakaputswa, nedanda raAshera parutivi rwayo rakatemwa, uye hando yechipiri yakabayirwa paaritari itsva yakanga yavakwa! Vakabvunzana vakati, “Ndianiko aita izvi?” Vakati vanyatsoferefeta, vakaudzwa kuti, “Gidheoni mwanakomana waJoashi ndiye aita izvi.” Vanhu vomuguta vakati kuna Joashi, “Budisa mwanakomana wako. Anofanira kufa, nokuti akaputsa aritari dzaBhaari uye akatema danda raAshera parutivi payo.” Asi Joashi akapindura ungano yakanga ine hasha kwazvo yakamukomberedza akati, “Ko, imi munoda kurwira Bhaari here? Muri kuda kuedza kumuponesa here? Ani naani achamurwira achaurayiwa mangwanani ano! Kana Bhaari ari mwari chaiye, anogona kuzvidzivirira kana mumwe munhu achiputsa aritari yake.” Saka pazuva iroro vakatumidza Gidheoni zita rokuti, “Jerubhi-Bhaari,” vachiti, “Bhaari ngaarwe naye, nokuti akaputsa aritari yaBhaari.” Zvino vaMidhiani vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva vakabatana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matende avo muMupata weJezireeri. Ipapo mweya waJehovha wakauya pamusoro paGidheoni, uye akaridza hwamanda, achidana vaAbhiezeri kuti vamutevere. Akatuma nhume munyika yose yaManase, achivakoka kuhondo, uyewo muAsheri, Zebhuruni neNafutari, kuti naivowo vakwire kundosangana navo. Gidheoni akati kuna Mwari, “Kana muchizoponesa Israeri noruoko rwangu sezvamakavimbisa, tarirai, ndichaisa dehwe rine mvere paburiro. Kana dova rikava padehwe chete uye pasi pose pakaoma, ipapo ndichaziva kuti muchaponesa Israeri noruoko rwangu, sezvamakareva.” Uye izvi ndizvo zvakaitika. Gidheoni akamuka mangwanani ezuva rakatevera; akasvina dehwe akabudisa dova, akazadza mbiya nemvura. Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Musanditsamwira henyu. Regai ndiite hangu chimwezve chikumbiro. Nditenderei ndiedzezve nedehwe. Panguva ino itai kuti dehwe riome asi pasi pose pafukidzwe nedova.” Usiku ihwohwo Mwari akaita izvozvo. Dehwe chete rakanga rakaoma; pasi pose pakanga pakafukidzwa nedova. Mangwanani-ngwanani, Jerubhi-Bhaari (ndiye Gidheoni) navanhu vose vaiva naye vakadzika matende avo patsime raHarodhi. Musasa wavaMidhiani wakanga uri nechokumusoro kwavo mumupata waiva pedyo nechikomo cheMore. Jehovha akati kuna Gidheoni, “Varume vaunavo vakawandisa kuti ini ndiise vaMidhiani mumaoko avo. Kuti vaIsraeri varege kuzvikudza pamberi pangu vachiti, simba ravo ndiro ravaponesa, zivisa vanhu izvozvi kuti, ‘Ani naani ari kudedera nokutya ngaadzoke hake abve paGomo reGireadhi.’ ” Saka varume vanosvika zviuru makumi maviri nezviviri vakabva, kukasara zviuru gumi. Asi Jehovha akati kuna Gidheoni, “Vanhu vachakangowandisa. Enda navo kumvura, uye ini ndichavasanangurira ikoko. Kana ndikati, ‘Uyu achaenda newe,’ ndiye achaenda; asi kana ndikati, ‘Uyu haafaniri kuenda newe,’ iyeye haaendi.” Saka Gidheoni akatora varume akaburuka navo kumvura. Jehovha akamuudza ikoko kuti, “Paradzanisa avo vanonwa mvura vachikapa norurimi rwavo sezvinoita imbwa kubva kuna avo vanonwa vakapfugama.” Zvino uwandu hweavo vakanwa vachikapa, vachiisa maoko kumiromo yavo, hwakasvika mazana matatu. Vamwe vose vakanwa vakapfugama namabvi avo. Jehovha akati kuna Gidheoni, “Namazana matatu avarume vanwa mvura vachikapa ava, ndichakuponesai uye ndichaisa vaMidhiani mumaoko enyu. Vamwe vanhu vose ngavaende zvavo, mumwe nomumwe kunzvimbo yake.” Saka Gidheoni akaendesa vamwe vose vavaIsraeri kumatende avo asi akasara namazana matatu, avo vakazotora mbuva nehwamanda dzavaya vamwe; uye musasa wavaMidhiani wakanga uri nechezasi mumupata. Usiku ihwohwo, Jehovha akati kuna Gidheoni, “Simuka, buruka uende kumusasa, nokuti ndiri kuzouisa mumaoko ako. Asi kana uchitya kuenda, buruka uende kumusasa naPura muranda wako. Uchanzwa zvavanotaura. Shure kwaizvozvo uchanzwa kukurudzirwa kuti urwise musasa.” Saka iye naPura muranda wake vakaburuka vakasvika kuvarindi vokunze kwomusasa. VaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vose vokumabvazuva vakanga vagara mumupata, vakawanda semhashu. Ngamera dzavo dzakanga dzisingaverengeki, dzakawanda sejecha remahombekombe egungwa. Gidheoni akasvika mumwe munhu achiri kurondedzera shamwari yake kurota kwake, achiti, “Ndarota chingwa chakaurungana chichikungurukira mumusasa wavaMidhiani. Charova tende nesimba guru zvokuti tende rakudubuka rikawa.” Shamwari yake yakapindura ikati, “Hachingavi chimwe chinhu kunze kwomunondo waGidheoni mwanakomana waJoashi, muIsraeri. Mwari aisa vaMidhiani nomusasa wose mumaoko ake.” Gidheoni akati anzwa kurota uku nokududzirwa kwokurota kwacho, akanamata Mwari. Akadzoka kumusasa wavaIsraeri akadanidzira achiti, “Simukai! Jehovha aisa musasa wavaMidhiani mumaoko enyu.” Akakamura varume mazana matatu akavaisa mumapoka matatu, akaisa hwamanda nezvirongo zvisina chinhu mumaoko avo vose, akanga ane mwenje mukati. Akati kwavari, “Mutarise kwandiri uye mutevedzere zvandinoita. Pandinosvika kumucheto kwomusasa, mubve maita sezvandinoita. Kana ini navose vandinavo tikaridza hwamanda dzedu, ipapo imi mose makapoteredza musasa muridzewo dzenyu mugodanidzira muchiti, ‘Rwirai Jehovha naGidheoni!’ ” Gidheoni navarume zana vaiva naye vakasvika kumucheto kwomusasa pakutanga kwenguva yapakati pousiku yokurinda, pachangoiswa mumwe murindi. Vakaridza hwamanda dzavo uye vakaputsa zvirongo zvaiva mumaoko avo. Mapoka matatu akaridza hwamanda uye akaputsawo zvirongo. Vakabata mwenje mumaoko avo oruboshwe uye vakabata noruoko rworudyi hwamanda dzavaizoridza, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” Murume mumwe nomumwe akaramba ari panzvimbo yake vakapoteredza musasa, vaMidhiani vose vakamhanya vachiridza mhere, vachitiza. Vane mazana matatu pavakaridza hwamanda, Jehovha akaita kuti mumusasa vose vanhu vapandukirane, vabayane neminondo yavo. Hondo yakatizira kuBheti Shita yakananga kuZerera kusvikira kumuganhu weAbheri Mehora pedyo neTabhati. VaIsraeri vakadanwa kubva kuNafutari, Asheri neManase yose, uye vakatevera vaMidhiani. Gidheoni akatuma nhume munyika yose yezvikomo yaEfuremu achiti, “Burukai tindorwa navaMidhiani titore mvura zhinji dzeJorodhani mberi kwavo kusvikira kuBheti Bhara.” Saka varume vose veEfuremu vakadanwa uye vakatora mvura zhinji dzeJorodhani kusvikira kuBheti Bhara. Vakatapawo vatungamiri vaviri vavaMidhiani, Orebhi naZeebhi. Vakauraya Orebhi paruware rwaOrebhi, uye Zeebhi vakamuurayira pachisviniro chewaini chaZeebhi. Vakatevera vaMidhiani uye vakauya nemisoro yaOrebhi naZeebhi kuna Gidheoni, akanga ari paJorodhani. Zvino vaEfuremu vakabvunza Gidheoni vakati, “Makatibatireiko zvakadai? Makaregerei kutidana pamakaenda kundorwa navaMidhiani?” Uye vakamutsoropodza zvikuru. Asi akavapindura akati, “Ko, chii chandaita kuti ndizvienzanise nemi? Handiti zvakanongwa zvamazambiringa aEfuremu zviri nani kupfuura mukohwo uzere wamazambiringa aAbhiezeri. Mwari akaisa Orebhi naZeebhi, vatungamiri vavaMidhiani mumaoko enyu. Ko, ini ndaizokwanisa kuitei kuti ndienzaniswe nemi?” Ipapo, kutsamwa kwavo pamusoro pake kwakaserera. Gidheoni navanhu vake mazana matatu, vakaramba vachingotevera, vakasvika kurwizi Jorodhani uye vakaruyambuka havo, asi vakanga vaneta kwazvo. Akati kuvarume veSukoti, “Ipai henyu mauto angu chingwa; vaneta, uye ndichiri kutevera Zebha naZarumuna, madzimambo eMidhiani.” Asi machinda eSukoti akati, “Matova namaoko aZebha naZarumuna mumaoko enyu here? Ko, tingapirei chingwa kumauto enyu?” Ipapo Gidheoni akapindura akati, “Nokuda kwaizvozvo, Jehovha paanongoisa Zebha naZarumuna muruoko rwangu, ini ndichabvambura nyama yenyu neminzwa yomurenje uye norukato.” Kubva ipapo akaenda kuPenieri vakaita chikumbiro chimwe chetecho, asi naivowo vakapindura sezvakaita varume veSukoti. Saka iye akati kuvarume vePenieri, “Pandinodzoka ndakunda, ndichakoromora shongwe iyi.” Zvino Zebha naZarumuna vakanga vari muKarikori vaine hondo yavarume zviuru gumi nezvishanu, vose vakanga vasara pahondo yavanhu vokumabvazuva; varume vomunondo zviuru makumi maviri vakanga vafa. Gidheoni akakwira nenzira yavaigara mumatende kumabvazuva kweNobha neJogibheha vakandokunda hondo yakanga isina chayakatarisira. Zebha naZarumuna, madzimambo maviri eMidhiani, vakatiza, asi akavatevera akavabata, akakunda hondo yavo yose. Gidheoni mwanakomana waJoashi akadzoka kubva kuhondo napaMupata weHeresi. Akabata jaya rokuSukoti uye akaribvunza, uye jaya rikanyora pasi mazita amachinda makumi manomwe navanomwe vokuSukoti, vakuru veguta. Ipapo Gidheoni akasvika akati kuvarume veSukoti, “Havano vanaZebha naZarumuna, vaya vamakandiseka muchiti, ‘Ko, watova namaoko aZebha naZarumuna kare here? Tinopireiko chingwa kuvanhu vako vaneta ava?’ ” Akatora vakuru veguta akadzidzisa varume veSukoti chidzidzo nenzira yokuvaranga neminzwa yomurenje uye norukato. Akakoromorawo shongwe yePenieri uye akauraya varume vomuguta. Ipapo akabvunza Zebha naZarumuna akati, “Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko?” Vakapindura vakati, “Varume vakaita semi, mumwe nomumwe aitaridzika somwanakomana wamambo.” Gidheoni akati, “Ivavo vakanga vari vanun'una vangu vanakomana vamai vangu chaivo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, dai makanga mavaponesa, ini handaizokuurayai.” Akatendeukira kuna Jeta mwanakomana wake mukuru, akati, “Vauraye!” Asi Jeta haana kuvhomora munondo wake, nokuti akanga achiri mukomana uye aitya. Zebha naZarumuna vakati, “Uyai muzviite imi. ‘Munhu sezvaari ndizvo zvakaita simba rake.’ ” Saka Gidheoni akaswedera akavauraya, uye akatora zvishongo kubva mumitsipa yengamera dzavo. VaIsraeri vakati kuna Gidheoni “Titonge iwe, mwanakomana wako nomuzukuru wako nokuti wakatiponesa kubva muruoko rwavaMidhiani.” Asi Gidheoni akati kwavari, “Ini handingakutongei, uye mwanakomana wangu haangakutongei. Jehovha ndiye achakutongai.” Uye akati, “Ndine chikumbiro chimwe chete, chokuti mumwe nomumwe wenyu andipe mhete yomunzeve kubva pamugove wezvamakapamba.” (Yakanga iri tsika yavaIshumaeri yokushonga mhete dzegoridhe dzomunzeve.) Vakapindura vakati, “Tichafara kudzipa kwamuri.” Saka vakawaridza nguo pasi, uye murume mumwe nomumwe akakanda mhete yezvaakapamba pamusoro payo. Uremu hwemhete dzegoridhe dzaakakumbira hwakasvika mashekeri chiuru chimwe namazana manomwea, pasingaverengwi zvishongo, uketani, nguo dzepepuru dzaipfekwa namadzimambo eMidhiani kana uketani hwakanga huri pamitsipa yengamera dzavo. Gidheoni akaita nazvo efodhi yegoridhe iyo yaakaisa muOfira, guta rake. VaIsraeri vose vakaita ufeve nokuinamata ipapo, uye yakava musungo kuna Gidheoni nokumhuri yake. Naizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavaIsraeri uye havana kuzosimudzazve musoro wavo. Pamazuva okurarama kwaGidheoni, nyika yakava norugare kwamakore makumi mana. Jerubhi-Bhaari mwanakomana waJoashi akadzokerazve kundogara kumusha kwake. Akanga ana vanakomana vake chaivo makumi manomwe, nokuti akanga ana vakadzi vazhinji. Murongo wake, aigara muShekemu, akamuberekerawo mwanakomana, akamutumidza kuti Abhimereki. Gidheoni mwanakomana waJoashi akafa akwegura zvikuru uye akavigwa muguva rababa vake Joashi muOfira ravaAbhiezeri. Gidheoni akati achangofa, vaIsraeri vakafevazve vakatevera vaBhaari. Vakamisa Bhaari Bheriti samwari wavo uye havana kurangarira Jehovha Mwari wavo, akanga avanunura kubva mumaoko avavengi vavo kumativi ose. Vakatadza kuitira mhuri yaJerubhi-Bhaari (iye Gidheoni) zvakanaka pazvinhu zvose zvakanaka zvaakanga avaitira. Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhaari akaenda kuhanzvadzi dzamai vake vaiva muShekemu akati kwavari uye nokuna vose veimba yamai vake, Bvunzai vose vanogara muShekemu kuti, “Zviri nani kwamuri ndezvipi: Kuti mutongwe navanakomana vose vaJerubhi-Bhaari vari makumi manomwe kana kungotongwa nomunhu mumwe chete? Murangarire kuti ini ndiri nyama neropa renyu.” Hanzvadzi dzamai vake dzakarondodzerazve zvose izvi kuvagari veShekemu, vakada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, “Ihama yedu.” Vakamupa mashekeri esirivha makumi manomwea aibva mutemberi yaBhaari-Bheriti, uye Abhimereki akaishandisa kutenga varume vakanga vakaipa uye vasina tsitsi, vakava vateveri vake. Akaenda kuimba yababa vake muOfira uye akaponda paruware rumwe chete vanakomana vababa vake makumi manomwe, ivo vanakomana vaJerubhiBhaari. Asi Jotamu, muduku pana vose kuvanakomana vaJerubhi-Bhaari, akapunyuka nokuti akavanda. Ipapo vagari vose vomuShekemu nokuBheti Miro vakaungana parutivi pomuti mukuru pambiru iri muShekemu kuti vagadze Abhimereki samambo. Jotamu akati azvinzwa, akakwira pamusoro peGomo reGerizimu akadanidzira kwavari akati, “Nditeererei imi vagari veShekemu, kuti Mwari agoteerera kwamuri. Rimwe zuva miti yakabuda kundozodza mambo wayo. Vakati kumuti womuOrivhi, ‘Iva mambo wedu.’ “Asi muti womuOrivhi wakapindura ukati, ‘Ko, ndingada kusiya mafuta angu, anoremekedzwa nezvose, vamwari navanhu, kuti ndinozengaira hangu pamusoro pemiti here?’ “Shure kwaizvozvo, miti yakati kumuonde, ‘Uya uzova mambo wedu.’ “Asi muonde wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya muchero wangu, wakanaka kudai uye unotapira, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’ “Ipapo miti ikati kumuzambiringa, ‘Uya uzova mambo wedu.’ “Asi muzambiringa wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya waini yangu inofadza vose vamwari navanhu, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’ “Pakupedzisira, miti yose yakati kurukato, ‘Uya uve mambo wedu.’ “Rukato rukati kumiti, ‘Kana muchida kundizodza kuti ndive mambo wenyu zvirokwazvo, uyai muvande pamumvuri wangu; asi kana zvisizvo, moto ngaubude murukato ugopisa misidhari yeRebhanoni!’ “Zvino kana imi makaita zvinokudzwa uye zvakatendeka pamakaita Abhimereki mambo, uye kana makaita zvakanaka kuna Jerubhi-Bhaari nokumhuri yake, uye kana makamubata sezvaanofanira, uye nokufunga kuti baba vangu vakakurwirai, vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vakununurei kubva muruoko rweMidhiani (asi nhasi mapandukira mhuri yababa vangu, mukaponda vanakomana vavo makumi manomwe padombo rimwe chete, uye mukaisa Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wavo kuti ave mambo pamusoro pavagere muShekemu nokuda kwokuti ihama yenyu), kana zvino makaita norukudzo uye nokutenda kwakanaka kuna JerubhiBhaari nemhuri yake nhasi, Abhimereki ngaave mufaro wenyu, nemiwo muve wakewo! Asi kana musina kudaro, moto ngaubude kubva kunaAbhimereki, uye uparadze imi, vagari veShekemu neBheti Miro, uye moto ngaubude kwamuri, vagari veShekemu neBheti Miro, ugoparadza Abhimereki!” Ipapo Jotamu akatiza, akapunyukira kuBheeri, uye akagara ikoko nokuti akanga achitya mukoma wake Abhimereki. Shure kwamakore matatu aAbhimereki achitonga Israeri, Mwari akatuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki navagari veShekemu, ukanyengera Abhimereki. Mwari akaita izvi kuitira kuti zvakaipa zvakaitirwa vanakomana makumi manomwe vaJerubhi-Bhaari, kuteurwa kweropa ravo, kutsiviwe pamusoro pomunun'una wavo Abhimereki uye napamusoro pavagari veShekemu, avo vakanga vamubatsira kuponda vanakomana vababa vake. Mukumurwisa kwavo, vagari ava veShekemu vakaisa varume pamusoro pezvikomo kuti vavandire nokupamba mumwe nomumwe aipfuura, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki. Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akaenda navanun'una vake kundogara muShekemu, uye vagari vomo vakavimba naye. Vakaenda kuminda vakandounganidza mazambiringa uye vakaasvina uye vakaita mutambo. Vakapinda mutemberi yamwari wavo, vakadya nokunwa uye vakatuka Abhimereki. Ipapo Gaari mwanakomana waEbhedhi akati, “Abhimereki ndianiko uye Shekemu ndianiko, kuti tive varanda vake? Ko, haazi mwanakomana waJerubhi-Bhaari, uye Zebhuri haazi mutevedzeri wake here? Shandirai vanhu vaHamori, baba vaShekemu! Seiko tichishandira Abhimereki? Dai chete vanhu ava vanga vari pasi pangu! Ipapo ndaimubvisa. Ndaizoti kuna Abhimereki, ‘Dana hondo yako yose!’ ” Zebhuri mubati weguta akati anzwa zvakataurwa naGaari mwanakomana waEbhedhi, akatsamwa zvikuru. Akatuma nhume kuna Abhimereki muchivande achiti, “Gaari mwanakomana waEbhedhi uye navanun'una vake vakasvika kuShekemu uye vari kukuchidzira guta kuti rikurwisei. Saka zvino, usiku, imi navanhu venyu munofanira kuzovandira muri muminda. Panguva dzamangwanani, zuva robuda, mupinde murwise guta. Panouya Gaari navanhu vake kuti vabude kuzorwa nemi, muite zvose zvamunogona noruoko rwenyu.” Saka Abhimereki namauto ake akasimuka usiku akaenda kunzvimbo dzakavanda pedyo neShekemu mumapoka mana. Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akanga abuda uye akanga amire pamukova wamasuo eguta apo Abhimereki navarwi vake vakasimuka pavakanga vakavanda. Gaari akati achivaona, akati kuna Zebhuri, “Tarira, vanhu vari kuburuka kubva pamusoro pamakomo!” Zebhuri akapindura akati, “Uri kuona mimvuri yamakomo savanhu iwe.” Asi Gaari akadanidzirazve akati, “Tarira vanhu vari kuburuka kubva pakati penyika, rimwe boka riri kubva nenzira yomuti wavavuki.” Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Kutaura kwako kukuru kuripiko zvino, iyewe waiti, ‘Abhimereki ndianiko kuti isu tive varanda kwaari?’ Handiti ava ndivo vanhu vawaizvidza here? Chibuda undorwa navo!” Saka Gaari akabuda pamberi pavanhu veShekemu akarwa naAbhimereki. Abhimereki akamudzinganisa uye vazhinji vakafa vakuvadzwa mukutiza uku nzira yose kusvikira pamukova wokupinda pasuo reguta. Abhimereki akagara muAruma, uye Zebhuri akadzinga Gaari navanun'una vake muShekemu. Fume mangwana vanhu veShekemu vakabuda vakaenda kuminda, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki. Saka akatora vanhu vake, akavakamura akavaisa mumapoka matatu akavandira musango. Akati achiona vanhu vachibuda muguta, akasimuka kuti avarwise. Abhimereki namapoka aakanga anaye vakamhanyira pamukova wokupinda pasuo reguta. Ipapo mapoka maviri akamhanyira vaya vakanga vari kuminda vakavauraya. Zuva rose iroro, Abhimereki akarwisa kwazvo guta kusvikira aritapa uye auraya vanhu varo. Ipapo akaparadza guta uye akakusha munyu pamusoro paro. Vachinzwa izvi vagari vomushongwe yeShekemu, vakapinda munhare dzetemberi yaEriBheriti. Abhimereki akati anzwa kuti vakanga vakaungana ipapo, Iye navanhu vake vose vakakwira muGomo reZarimoni. Akatora demo akagura matavi, akaasimudza akaaisa pamapfudzi ake. Akarayira varume vaiva naye akati, “Kurumidzai! Itai zvamandiona ndichiita!” Saka varume vose vakagura matavi vakatevera Abhimereki. Vakaatutira pamusoro penhare ndokuitungidza nomoto vanhu vari mukati. Saka vanhu vose vaiva mushongwe yeShekemu, varume navakadzi vanenge chiuru chimwe chete vakafawo. Shure kwaizvozvo Abhimereki akaenda kuTebhezi akarikomba uye akaritapa. Kunyange zvakadaro, mukati meguta makanga mune shongwe yakasimba, munova ndimo makatizira varume vose navakadzi, navanhu vose veguta. Vakazvikiyira mukati vakakwira padenga reshongwe. Abhimereki akaenda kushongwe iyo uye akairwisa. Asi akati achiswedera pamukova weshongwe kuti aipise nomoto, mukadzi akakanda guyo pamusoro pake rikatsemura dehenya rake. Pakarepo akadana mutakuri wenhumbi dzake dzokurwa akati, “Vhomora munondo wako undiuraye, kuti vasazoti, ‘Akaurayiwa nomukadzi.’ ” Saka muranda wake akamubaya akafa. VaIsraeri vakati vaona kuti Abhimereki afa, vakaenda kumusha. Naizvozvo Jehovha akatsiva kuipa kwaAbhimereki kwaakaita kuna baba vake nokuponda vanakomana vababa vake makumi manomwe. Mwari akaitawo kuti varume veShekemu varipe zvakaipa zvavo zvose. Kutuka kwaJotamu, mwanakomana waJerubhi-Bhaari kwakauya pamusoro pavo. Shure kwenguva yaAbhimereki murume weIsraeri, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, akasimuka kuti aponese Israeri. Akanga achigara muShamiri munyika yezvikomo yeEfuremu. Akatungamirira Israeri kwamakore makumi maviri namatatu, ipapo akafa, uye akavigwa muShamiri. Akazoteverwa naJairi muGireadhi, uyo akatungamirira Israeri kwamakore makore makumi maviri. Akanga ana vanakomana makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi matatu. Vaitonga maguta makumi matatu muGireadhi, ayo anodaidzwa nhasi kunzi Havhoti Jairi. Jairi paakafa, akavigwa muKamoni. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha. Vakashumira vanaBhaari uye vanaAshitoreti, navamwari veAramu, vamwari veSidhoni, vamwari veMoabhu, vamwari vavaAmoni navamwari vavaFiristia. Uye nokuti vaIsraeri vakasiya Jehovha uye vakasazomushumirazve, iye akavatsamwira. Akavatengesa mumaoko avaFiristia uye navaAmoni, avo vakavanetsa uye vakavapwanya mugore iroro. Vakadzvinyirira vaIsraeri vose vakanga vari nechokumabvazuva kweJorodhani muGireadhi, munyika yavaAmori, kwamakore gumi namasere. VaAmoni vakayambukawo Jorodhani kuti vandorwa neJudha Bhenjamini uye neimba yaEfuremu; uye vaIsraeri vakashushikana zvikuru. Ipapo vaIsraeri vakachema kuna Jehovha vakati, “Takakutadzirai nokuti takarasa Mwari wedu uye tikashumira vaBhaari.” Jehovha akapindura akati, “Pamakadzvinyirirwa navaIjipita, vaAmori, vaAmoni, vaFiristia, vaSidhoni, vaAmareki, navaMaoni uye mukachema kwandiri kuti ndikubatsirei, handina kukuponesai mumaoko avo here? Asi imi makandirasa mukashumira vamwe vamwari, saka handichadi kukuponesaizve. Endai mundochema kuna vamwari vamakasarudza. Ngavakuponesei pamunenge mava kutambudzika!” Asi vaIsraeri vakati kuna Jehovha, “Takatadza hedu. Tiitirei zvose zvamunoona kuti zvakanaka kwamuri, asi tapota tinunurei henyu nhasi.” Ipapo vakarasa vamwari vatorwa pakati pavo vakashumira Jehovha. Uye haana kuzotenderazve kutambudzika kweIsraeri. VaAmoni pavakadanwa kuhondo uye vakadzika musasa muGireadhi, vaIsraeri vakaungana vakadzika musasa paMizipa. Vatungamiri vavanhu veGireadhi vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Ani naani achatanga kundorwa navaAmoni ndiye achava mukuru wavose vanogara muGireadhi.” Jefuta muGireadhi, akanga ari murwi ane simba. Baba vake vainzi Gireadhi; mai vake vakanga vari chifeve. Mukadzi waGireadhi akamuberekerawo vanakomana, uye vakati vakura, vakadzinga Jefuta. Vakati, “Iwe hauna nhaka ipi zvayo yauchawana mumhuri yedu, nokuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.” Saka Jefuta akatiza kubva pavanun'una vake akandogara munyika yeTobhi, uko kwaakandounganirwa navarume vakaipa uye vakamutevera. Mushure menguva yakati kuti, vaAmoni vakarwa navaIsraeri, Vakuru veGireadhi vakaenda kundotora Jefuta kubva kunyika yeTobhi. Vakati, “Uya uzova mutungamiri wehondo, kuti tigorwa navaAmoni.” Jefuta akati kwavari, “Hamuna kundivenga here mukandidzinga mumba mababa vangu? Sei mava kuuya kwandiri zvino, imi mava munhamo?” Vakuru veGireadhi vakati kwaari, “Zvisinei hazvo, isu hedu tiri kudzokera kwamuri iye zvino; handei tose kundorwa navaAmoni, uye muchava mukuru wedu pamusoro pavose vagere muGireadhi.” Jefuta akapindura akati, “Ngatimboti madzokera neni kundorwa navaAmoni uye Jehovha akavapa kwandiri, ndichava mukuru wenyu zvechokwadi here?” Vakuru veGireadhi vakapindura vakati, “Jehovha ndiye chapupu chedu; zvirokwazvo tichaita sezvaunoreva.” Saka Jefuta akaenda navakuru veGireadhi, uye vanhu vakamuita mukuru wavo uye mutungamiri wehondo. Uye akadzokorora mashoko ake ose pamberi paJehovha muMizipa. Ipapo Jefuta akatuma nhume kuna mambo wavaAmoni nomubvunzo wokuti, “Mhosva yamunayo nesu ndeyeiko zvamunorwisa nyika yedu?” Mambo wavaAmoni akapindura nhume dzaJefuta achiti, “VaIsraeri pavakabuda muIjipiti, vakatora nyika yangu kubva kuArinoni kusvikira kuJabhoki, kwose nokuJorodhani. Zvino idzosei norugare.” Jefuta akatumazve nhume kuna mambo wavaAmoni achiti, “Zvanzi naJefuta: Israeri haina kutora nyika yeMoabhu kana nyika yavaAmoni. Asi pavakabuda muIjipiti, Israeri yakaenda nomurenje kusvikira kuGungwa Dzvuku uye nokumusoro kuKadheshi. Ipapo Israeri yakatuma nhume kuna mambo weEdhomu, achiti, ‘Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu,’ asi mambo weEdhomu akaramba kunzwa. Vakatumawo nhume kuna mambo weMoabhu, naiyewo akaramba. Saka vakagara paKadheshi. “Shure kwaizvozvo vakafamba nomurenje, vachitenderera nyika dzeEdhomu neMoabhu, vakandodzika musasa kuno rumwe rutivi rweArinoni. Havana kupinda munyika yeMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu wayo. “Ipapo vaIsraeri vakatuma nhume kuna Sihoni mambo wavaAmori, akanga achitonga muHeshibhoni, akati kwaari, ‘Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu tichienda kunzvimbo yedu.’ Kunyange zvakadaro, Sihoni haana kuvimba navaIsraeri kuti vapfuure nomunyika yake. Akaunganidza vanhu vake vose vakandodzika musasa paJahazi uye vakarwa navaIsraeri. “Ipapo Jehovha, Mwari waIsraeri, akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsraeri, uye vakavakunda. Israeri yakatora nyika yose yavaAmori vaigara munyika iyo, vakaitapa yose kubva paArinoni kusvikira kuJabhoki uye kubva kurenje kusvikira kuJorodhani. “Zvino sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri akadzinga vaAmori pamberi pavanhu vake Israeri, iwe une kodzero ipi yokuti uitore? Ko, hautori here zvaunopiwa namwari wako Kemoshi? Naizvozvo zvose zvatinopiwa naJehovha Mwari wedu, ndizvo zvatichatora. Ko, iwe uri nani kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu here? Akatombopopotedzana navaIsraeri kana kurwa navo here? Israeri yakagara muHeshibhoni, Aroeri, nemisha yakapoteredza uye namaguta ose akatarisana neArinoni. Wakaregereiko kuatora panguva iyoyo? Ini handina kukutadzira asi iwe ndiwe wava kundikanganisira nokuda kurwa neni. Jehovha, iye mutongi ngaatonge, ngaatonge gakava iri nhasi riri pakati pavaIsraeri navaAmoni.” Kunyange zvakadaro, mambo weAmoni, haana kuteerera nhume dzaJefuta dzaakatuma. Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta. Akayambuka Gireadhi neManase, akapfuura napaMizipa yeGireadhi, uye kubva ipapo akafamba akandorwa navaAmoni. Uye Jefuta akaita mhiko kuna Jehovha akati, “Kana mukaisa vaAmoni mumaoko angu, chose chichabuda napamukova weimba yangu kuzosangana neni pakudzoka kwangu ndakunda vaAmoni, chichava chaJehovha, uye ndichachibayira sechipiriso chinopiswa.” Ipapo Jefuta akabuda kundorwa navaAmoni, uye Jehovha akavapa mumaoko ake. Akaparadza maguta makumi maviri kubva kuAroeri kusvikira pedyo neMiniti, akandoguma kuAbheri Keramimi. Nokudaro Israeri yakakunda Amoni. Jefuta akati odzokera kumusha kwake kuMizipa, ndiani akazouya kuzomuchingamidza kunze kwomwanasikana wake, achitamba, matamborini achiridzwa! Ndiye akanga achingova mwana wake oga. Akanga asina mwanakomana kana mwanasikana kunze kwake iye oga. Akati achimuona akabvarura nguo dzake uye akachema achiti, “Haiwa mwanasikana wangu! Wandishungurudza nokuti ndaita mhiko kuna Jehovha yandisingagoni kuputsa.” Akapindura akati, “Baba vangu, mapa shoko renyu kuna Jehovha. Ndiitirei henyu sezvamakavimbisa, sezvo zvino Jehovha akatsivira vavengi venyu, ivo vaAmoni. Asi nditenderei henyu chikumbiro chimwe chete ichi, Ndipei henyu mwedzi miviri kuti ndiende kuzvikomo uye ndinochema pamwe chete neshamwari dzangu, nokuti handichatongowanikwi.” Iye akati, “Ungaenda hako.” Uye akamutendera kuti aende kwemwedzi miviri. Iye navamwe vasikana vakaenda kuzvikomo vakandochema nokuti akanga asingazombowanikwi. Shure kwemwedzi miviri akadzoka kuna baba vake uye vakaita kwaari sezvavakanga vapika. Uye akanga ari mhandara. Ndipo pakabva tsika yavaIsraeri yokuti gore rimwe nerimwe, vanasikana veIsraeri vanobuda kwamazuva mana kundoita chirangaridzo chomwanasikana waJefuta muGireadhi. Varume veEfuremu vakadana varwi vavo, vakayambuka mhiri vakaenda kuZafani uye vakati kuna Jefuta, “Wakaendereiko kundorwa navaAmoni ukasatidana kuti tiende newe? Tichapisa imba yako iwe uri mukati.” Jefuta akapindura akati, “Ini navanhu vangu takanga tiri pakutambudzika kukuru navaAmoni, uye kunyange ndakadana, imi hamuna kundiponesa kubva mumaoko avo. Pandakaona kuti hamusi kuda kubatsira, ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikayambuka kundorwa navaAmoni, iye Jehovha akandipa kukunda pamusoro pavo. Zvino mauyireiko nhasi kuzorwa neni?” Ipapo Jefuta akaunganidza varume veGireadhi akarwa neEfuremu. VaGireadhi vakavauraya nokuti vaEfuremu vakanga vati, “Imi vaGireadhi muri vanhu vakatiza kubva kuna Efuremu naManase.” VaGireadhi vakatora mazambuko eJorodhani aienda kuEfuremu, uye upi noupi wavakasara veEfuremu aiti akati, “Regai hangu ndiyambukire mhiri,” varume veGireadhi vaimubvunza vachiti, “Uri muEfuremu here?” Kana akapindura achiti, “Kwete,” vaiti, “Zvakanaka, iti, ‘Shibhoreti.’ ” Kana akati, “Sibhoreti” nokuda kwokuti akanga asingagoni kureva shoko iro zvakanaka, vaimubata vomuuraya pamazambuko eJorodhani. Zviuru makumi mana nezviviri zvavaEfuremu zvakaurayiwa panguva iyoyo. Jefuta akatungamirira vaIsraeri kwamakore matanhatu. Ipapo Jefuta muGireadhi akafa, uye akavigwa muguta riri muGireadhi. Shure kwake, Ibhizani weBheterehema akatungamirira Israeri. Akanga ana vanakomana makumi matatu uye vanasikana makumi matatu. Akawanisa vanasikana vake kuvanhu vakanga vasiri vorudzi rwake, uye akavigira vanakomana vake vanasikana vakanga vasiri vorudzi rwake makumi matatu kuti vave vakadzi vavo. Ibhizani akatungamirira Israeri kwamakore manomwe. Ipapo Ibhizani akafa, uye akavigwa muBheterehema. Shure kwake, Eroni muZebhuruni akatungamirira vaIsraeri kwamakore gumi. Ipapo Eroni akafa, uye akavigwa muAijaroni munyika yaZebhuruni. Shure kwake, Abhudhoni mwanakomana waHireri aibva kuPiratoni, akatungamirira Israeri. Akanga ana vanakomana makumi mana uye vazukuru makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi manomwe. Iye akatungamirira vaIsraeri kwamakore masere. Ipapo Abhudhoni mwanakomana waHireri akafa, uye akavigwa paPiratoni muEfuremu, munyika yezvikomo yavaAmareki. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akavaisa mumaoko avaFiristia kwamakore makumi mana. Mumwe murumwe weZora ainzi Manoa, aibva muimba yavaDhani, akanga ano mukadzi akanga asingabereki asina mwana. Mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari uye akati, “Iwe haubereki uye hauna mwana, asi uchava nemimba uye ugova nomwanakomana. Zvino uone kuti warega kunwa waini kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa uye kuti urege kudya chinhu chipi zvacho chisina kuchena, nokuti uchava nemimba uye uchabereka mwanakomana. Chisvo hachifaniri kuveura musoro wake, nokuti mukomana anofanira kuva muNaziri, akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuzvarwa kwake, uye ndiye achatanga kusunungura vaIsraeri kubva mumaoko avaFiristia.” Ipapo mukadzi akaenda kumurume wake akandomuudza akati, “Munhu waMwari asvika kwandiri. Anga achitarisika somutumwa waMwari, anotyisa kwazvo. Handina kumubvunza kuti abva kupi, uye haana kundiudza zita rake. Asi ati kwandiri, ‘Uchava nemimba uye uchabereka mwanakomana. Zvino, chirega kunwa waini kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa uye usadya chinhu chipi zvacho chisina kuchena, nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubva pakuzvarwa kwake kusvikira pazuva raanofa.’ ” Ipapo Manoa akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, ndinokukumbirai, regai munhu waMwari wamakatuma kwatiri adzokezve kuti azotidzidzisa kurera kwatingaita mukomana achazozvarwa.” Mwari akanzwa Manoa, uye mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi panguva yaakanga ari kumunda; asi murume wake Manoa akanga asipo paari. Mukadzi akakurumidza kundoudza murume wake akati, “Ari pano! Murume uya akazviratidza kwandiri zuva riya!” Manoa akasimuka akatevera mukadzi wake. Akati asvika pamurume uya, akati, “Ndimi here makataura kumukadzi wangu?” Iye akati, “Ndini.” Saka Manoa akamubvunza akati, “Mashoko enyu paachazadziswa, mutemo unofanira kutevedzwa paupenyu hwomukomana ndoupi?” Mutumwa waJehovha akapindura akati, “Mukadzi wako anofanira kuita zvose zvandakamuudza. Haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuzambiringa, uye kunwa waini ipi zvayo kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa kana kudya chinhu chipi zvacho chisina kuchena. Anofanira kuita zvose zvandakamurayira.” Manoa akati kumutumwa waJehovha, “Tingada kuti mumbogara kusvikira takugadzirirai kambudzana.” Mutumwa waJehovha akapindura akati, “Kunyange dai mukandibata henyu, handingadyi chokudya chenyu chipi zvacho. Asi kana muchigadzira chipiriso chinopiswa, chipei kuna Jehovha.” (Manoa haana kuziva kuti akanga ari mutumwa Jehovha.) Ipapo Manoa akabvunza mutumwa waJehovha akati, “Zita renyu ndianiko, kuitira kuti tigokukudzai pachazadziswa shoko renyu?” Akapindura akati, “Unobvunzireiko zita rangu? Haringanzwisisiki.” Ipapo Manoa akatora kambudzana, pamwe chete nechipiriso chezviyo, akazvibayira kuna Jehovha paruware. Uye Jehovha akaita chinhu chinoshamisa, Manoa nomukadzi wake vakatarisa: Murazvo wakati uchikwira kubva paaritari wakananga kudenga, mutumwa waJehovha akakwira ari mumurazvo. Vakati vaona izvi, Manoa nomukadzi wake vakawira pasi nezviso zvavo. Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa nomukadzi wake ipapo, Manoa akaziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha. Akati, “Tichafa zvirokwazvo! Taona Mwari!” Asi mukadzi wake akati, “Kana Jehovha anga achida kutiuraya, angadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa uye chipiriso chezviyo kubva mumaoko edu, uye angadai asina kutiratidza zvinhu zvose izvi kana kutiudza izvi zvino.” Mukadzi akasununguka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Samusoni. Akakura uye Jehovha akamuropafadza, uye Mweya waJehovha wakatanga kumumutsa paakanga ari paMahane Dhani, pakati peZora neEshitaori. Samusoni akaburuka akaenda kuTimina akandoona ikoko mukadzi muduku wechiFiristia. Akati adzoka, akasvikoti kuna baba namai vake, “Ndaona mukadzi wechiFiristia muTimina; zvino nditorerei iye ave mukadzi wangu.” Baba namai vake vakapindura vakati, “Hapana here mukadzi akakodzera pakati pehama dzako kana pakati pavanhu vokwedu vose? Ungaenda here kuvaFiristia vasina kudzingiswa kuti undotora mukadzi?” Asi Samusoni akati kuna baba vake, “Nditorerei iye. Ndiye akanaka kwandiri.” (Vabereki vake vakanga vasingazivi kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha, akanga achitsvaka mukana wokurwa navaFiristia; nokuti nenguva iyo ndivo vakanga vachitonga vaIsraeri.) Samusoni akaburuka akaenda kuTimina pamwe chete nababa vake namai vake. Vakati vasvika kuminda yemizambiringa yeTimina, pakarepo shumba yakauya yakananga kwaari ichiomba. Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba zvokuti akabvambura shumba napakati namaoko ake kunge anobvambura mbudzana. Ipapo akaburuka akandotaura nomukadzi, uye aimuda. Mushure menguva yakati kuti, paakadzokera kundomuona, akatsauka kundoona mutumbi weshumba. Mukati macho makanga mune bumha renyuchi nouchi, akahubura namaoko ake akadya achifamba. Akati asvika kuvabereki vake akavapa humwe vakadyawo naivo. Asi haana kuvaudza kuti akanga atora uchi mumutumbi weshumba. Zvino baba vake vakaburuka kundoona mukadzi uya. Uye Samusoni akaita mutambo ikoko, setsika yaiitwa nezvikomba. Paakasvika, akapiwa shamwari makumi matatu. Samusoni akati kwavari, “Regai ndikutaurirei chirahwe. Kana mukagona kuchidudzira mukati mamazuva manomwe omutambo, ini ndichakupai nguo dzomucheka dzinosvika makumi matatu nehanzu makumi matatu. Kana musingagoni kudzidudzira, imi munofanira kundipa nguo dzomucheka makumi matatu namakumi matatu ehanzu.” Ivo vakati, “Tiudze chirahwe chako. Rega tichinzwe.” Akapindura akati: “Kumudyi, kwakabuda chokudya; kune ane simba, kwakabuda zvinotapira.” Havana kugona kupa mhinduro kwamazuva matatu. Pazuva rechina, vakati kumukadzi waSamusoni, “Nyengetedza murume wako kuti atsanangure chirahwe kuti tiregere kukupisai mukafa iwe neveimba yababa vako. Munotikoka pano kuzotibira nhai?” Ipapo mukadzi waSamusoni akazviwisira paari, achichema akati, “Unondivenga iwe! Haundidi chaizvo izvo. Wakapa vanhu vokwangu chirahwe, asi hauna kundiudza dudziro yacho.” Akati, “Handina kutongochitsanangurira baba vangu kana mai vangu, saka ndingachitsanangura seiko kwauri?” Akachema kwamazuva manomwe ose omutambo. Saka akapedzisira amuudza pazuva rechinomwe, nokuti akaramba achingomumanikidza. Iye akabva azotsanangurira vanhu vake chirahwe. Pazuva rechinomwe, zuva risati radoka, varume vomuguta vakati kwaari, “Chiiko chinotapira souchi? Chiiko chine simba seshumba?” Samusoni akati kwavari, “Dai manga musina kurima netsiru rangu, mungadai musina kugona kududzira chirahwe changu.” Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba. Akaburuka akaenda kuAshikeroni, akandouraya varume makumi matatu, akakutunura zvinhu zvavo akapa nguo dzavo kuna avo vakadudzira chirahwe. Akatsamwa kwazvo akaenda kumba kwababa vake. Uye mukadzi waSamusoni akapiwa kushamwari yakanga yamuperekedza pasvitsa. Mushure mechinguva, panguva yokukohwa gorosi, Samusoni akatora mbudzana akaenda kundoshanyira mukadzi wake. Iye akati, “Ndinoda kupinda mumba nomukadzi wangu.” Asi baba vomukadzi wake havana kumutendera kupinda. Baba vomukadzi wake vakati, “Ndakanga ndine chokwadi chaizvo kuti unomuvenga kwazvo zvokuti ndakamupa kushamwari yako. Ko, munun'una wake haana kunaka kukunda iye here? Chimutora iye panzvimbo yake.” Samusoni akati kwaari, “Panguva ino ndine mvumo yokuti nditsive kuvaFiristia; ndichavaitira zvakaipa chaizvo.” Saka akabuda akandobata makava mazana matatu akaasunganidza miswe yawo achiita maviri maviri. Ipapo akaisa zhenje pakati pemiswe miviri miviri yacho Akatungidza mazhenje akaregedza makava akapinda muzviyo zvavaFiristia zvakanga zvimire. Akapisa zviyo zvakanga zvakohwewa nezvakanga zvimire mumunda, pamwe chete neminda yemizambiringa neyemiorivhi. VaFiristia pavakabvunza kuti, “Ndianiko aita izvi?” vakaudzwa kuti, “NdiSamusoni, mukuwasha, womuTimina, nemhaka yokuti mukadzi wake akapiwa kushamwari yake.” Saka vaFiristia vakaenda vakandomupisa iye nababa vake vakafa. Samusoni akati kwavari, “Sezvo maita kudai, ini handitombomiri kusvikira ndakutsivai.” Akavarwisa zvakasimba uye akauraya vazhinji vavo. Ipapo akaburuka akandogara mubako redombo reEtami. VaFiristia vakakwira vakandodzika musasa wavo muJudha, vakapararira kusvika pedyo neRehi. Varume veJudha vakavabvunza vakati, “Mauyireiko kuzorwa nesu?” Ivo vakati, “Tauya kuzotora Samusoni kuti ave musungwa, uye kuti tiite kwaari zvaakatiitira isu.” Ipapo varume zviuru zvitatu vaibva kuJudha vakaburuka kubako reEtami vakandoti kuna Samusoni, “Ko, haunzwi here kuti vaFiristia vanotitonga? Chiiko chawatiitira?” Akapindura akati, “Ndakangovaitira zvavakandiitira.” Ivo vakati kwaari, “Tauya kuzokusunga kuti tikuise kuvaFiristia.” Samusoni akati, “Pikai kwandiri kuti imi hamundiurayi pachenyu.” Ivo vakati, “Hongu, isu tichangokusunga bedzi tigokuisa mumaoko avo. Hatikuurayi isu.” Saka vakamusunga namabote matsva maviri vakamutungamirira kuruware. Akati aswedera kuRehi, vaFiristia vakauya kwaari vachidanidzira. Mweya waJehovha wakauya paari nesimba. Mabote akanga ari mumaoko ake akaita sorushinda, uye zvisungo zvikadonha mumaoko ake. Akawana rushaya rutsva rwembongoro, akarubata akauraya varume chiuru. Ipapo Samusoni akati, “Norushaya rwembongoro ndavaita mbongoro. Norushaya rwembongoro ndauraya varume chiuru.” Akati apedza kutaura, akakanda rushaya kure; uye nzvimbo ikanzi Ramati Rehi. Nemhaka yokuti akanga ava nenyota chaizvo, akadanidzira kuna Jehovha akati, “Mapa muranda wenyu kukunda kukuru. Zvino ndofira pano nenyota here uye ndigowira mumaoko avasina kudzingiswa?” Ipapo Mwari akazarura mukaha muRehi, uye mvura ikabuda mauri. Samusoni akati anwa, simba rake rakadzoka maari uye akamutsiridzwazve. Saka tsime iro rakanzi Eni Hakore, uye richirimo muRehi. Samusoni akatungamirira vaIsraeri kwamakore makumi maviri mumazuva avaFiristia. Rimwe zuva Samusoni akaenda kuGaza, kwaakandoona chifeve. Akapinda usiku kuti andovata naye. Vanhu veGaza vakaudzwa kuti, “Samusoni ari pano!” Saka vakakomba nzvimbo iyo vakamuvandira usiku pasuo reguta. Havana kumbosuduruka panguva yousiku vachiti, “Tichamuuraya panguva yamambakwedza.” Asi Samusoni akavatamo kusvikira pakati pousiku chete. Ipapo akamuka akabata masasa amasuo eguta, pamwe chete namagwatidziro acho maviri akaavhomora, mazariro nezvose. Akaasimudza pamapfudzi ake akaatakura akaenda nawo pamusoro pechikomo chakatarisana neHebhuroni. Mushure menguva yakati kuti, akadanana nomukadzi aigara muMupata weSoreki; zita rake rainzi Dherira. Vatongi vavaFiristia vakaenda kwaari vakati, “Uone kana ungagona kumunyengetedza kuti akuratidze chakavanzika chesimba rake guru, uye kuti tingamukunda sei kuitira kuti tigomusunga timupfavise. Mumwe nomumwe wedu achakupa mashekeri esirivha mazana gumi nezana rimwe chetea.” Saka Dherira akati kuna Samusoni, “Ndiudzewoka chakavanzika chesimba rako guru uye kuti ungasungwa sei kuti ukundwe.” Samusoni akamupindura akati, “Kana munhu upi zvake akandisunga netambo itsva nomwe dzisina kuomeswa, ndichava munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.” Ipapo vatongi vavaFiristia vakamuvigira tambo nomwe itsva dzisina kuomeswa, akamusunga nadzo. Varume vakavanda mukamuri, akadanidzira kwaari akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika.” Asi akadambura tambo zviri nyore sokudambuka kunoita shinda kana yaiswa pedyo nomurazvo womoto. Saka chakavanzika chesimba rake hachina kuzivikanwa. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Wandiita benzi; wareva nhema kwandiri. Zvino chindiudza kuti ungasungwa sei?” Iye akati, “Kana munhu akandisunga zvakasimba namabote matsva asati amboshandiswa, ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka Dherira akatora mabote matsva akamusunga nawo. Ipapo, aiva navarume vakanga vakavanda mukamuri, uye akadanidzira kwaari achiti, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura mabote mumaoko ake kunge akanga ari shinda. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino, wanga uchingondiita benzi uye uchireva nhema kwandiri. Ndiudze kuti ungasungwa sei.” Akapindura akati, “Kana ukarukira mhotsi dzangu nomwe dzebvudzi rangu mumucheka wakarukwa uye ukadzirovera pasi nembambo, ini ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka paakanga avata, Dherira akatora mhotsi nomwe dzebvudzi romusoro wake, akadzirukira mumucheka unorukwa, akadzirovera pasi nembambo. Akadanidzira kwaari zvakare akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akavhomora mbambo nomucheka wakarukwa. Ipapo akati kwaari, “Unoti ‘Ndinokuda’ sei iwe usingandiudzi zvakavanzika zvako? Aka kava ketatu uchingondiita benzi uye hauna kutongonditaurira chakavanzika chesimba rako guru.” Pakupedzisira mushure mokunge atambudzwa namashoko ake, zuva nezuva, achimugombedzera, akaneta zvokusvika parufu. Saka akamuudza zvose. Akati, “Hapana chisvo chakatomboshandiswa kuveura musoro wangu, nokuti ndakaitwa muNaziri akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuberekwa kwangu. Kana musoro wangu ukaveurwa, simba rangu rinobva pandiri, uye ndinozova munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.” Dherira paakaona kuti akanga amuudza zvose, akatuma shoko kuvatongi vavaFiristia vakadzoka vaine sirivha mumaoko avo. Akati amurarisa pamakumbo ake, akadana munhu kuti azoveura mhotsi nomwe dzebvudzi rake, nokudaro akatanga kumukunda. Uye simba rake rakabva paari. Ipapo akadana Samusoni akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akafunga akati, “Ndichabuda sezvandaiita kare uye ndichazvisunungura.” Asi akanga asingazivi kuti Jehovha akanga abva paari. Ipapo vaFiristia vakamubata vakatumbura meso ake vakamuendesa kundokuya mutorongo. Asi bvudzi romusoro wake rakatanga kukurazve shure kwokumboveurwa. Zvino vatongi vavaFiristia vakaungana kuti vabayire chibayiro chikuru kuna Dhagoni mwari wavo uye kuti vapemberere vachiti, “Mwari wedu aisa Samusoni, muvengi wedu, mumaoko edu.” Vanhu vakati vamuona, vakarumbidza mwari wavo vachiti, “Mwari wedu aisa muvengi wedu mumaoko edu, iye akaparadza nyika yedu akawanza vakaurayiwa vedu.” Vari pakufara kukuru, vakadanidzira vachiti, “Budisai Samusoni kuti auye kuzotitandadza.” Saka vakadana Samusoni kuti abude mutorongo, uye akavatambira. Vakati vamumisa pakati pembiru, Samusoni akati kumuranda akanga akabata ruoko rwake, “Ndiise pandinogona kubata mbiru dzinotsigira temberi, kuitira kuti ndisendamire padziri.” Zvino temberi yakanga izere navarume navakadzi; vatongi vose vavaFiristia vakanga varimo uye padenga pakanga pane varume navakadzi vanenge zviuru zvitatu vakatarira Samusoni achitamba. Ipapo Samusoni akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndirangarirei. Imi Mwari, ndapota hangu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, uye nditenderei kamwe chete kuti nditsive vaFiristia nokuda kwameso angu maviri.” Ipapo Samusoni akabata mbiru dzapakati paakanga amire dzetemberi. Akadzisunda, ruoko rwake rworudyi pane imwe uye rworuboshwe pane imwe yacho, Samusoni akati, “Regai hangu ndife navaFiristia!” Ipapo akasunda nesimba rake rose, uye temberi yakaondomokera pamusoro pavatongi vavaFiristia navanhu vose vaiva mairi. Naizvozvo akauraya vanhu vazhinji kwazvo pakufa kwake kupfuura paakanga ari mupenyu. Ipapo vanun'una vake nemhuri yose yababa vake vakaburuka, vakandomutora. Vakadzoka naye uye vakandomuviga pakati peZora neEshitori muhwiro raManoa baba vake. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi maviri. Zvino mumwe murume ainzi Mika aibva kunyika yezvikomo yaEfuremu akati kuna mai vake, “Mashekeri aya esirivha chiuru nezana rimwe chetea akatorwa kwamuri andakanzwa muchituka munhu wacho akatora, sirivha yacho ndini ndinayo; ndini ndakaitora.” Ipapo mai vake vakati, “Jehovha ngaakuropafadze, mwanakomana wangu!” Akati adzorera mashekeri esirivha chiuru nezana rimwe chete, kuna mai vake, ivo vakati, “Ndinotsaurira Jehovha sirivha yangu nomwoyo wose kuti mwanakomana wangu aite chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wakaumbwa wesimbi. Ndichazoidzosera kwauri.” Saka akadzosera sirivha kuna mai vake, uye mai vake vakatora mazana maviri amashekerib esirivha vakaapa kumupfuri wesirivha, akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa. Uye zvakaiswa mumba maMika. Zvino murume uyu Mika, akanga ane imba yavamwari, uye akaita efodhi nezvimwe zvifananidzo uye akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave muprista wake. Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo; mumwe nomumwe akaita zvaaiona zvakamunakira. Zvino kwakanga kune jaya muRevhi aibva kuBheterehema muJudha, aigara mukati morudzi rwaJudha, akabva muguta iroro achindotsvaka imwe nzvimbo yokugara. Ari munzira yake akasvika napaimba yaMika munyika yezvikomo yeEfuremu. Mika akamubvunza akati, “Unobvepiko?” Iye akati, “Ndiri muRevhi anobva kuBheterehema muJudha, uye ndiri kutsvaka nzvimbo yokugara.” Ipapo Mika akati kwaari, “Gara hako neni ugova baba vangu nomuprista wangu, uye ndichakupa mashekeri esirivha gumic pagore, nguo dzako dzokupfeka uye nezvokudya zvako.” Saka muRevhi akabvuma kugara naye, uye jaya iri rakanga rakaita somumwe wavanakomana vake. Ipapo Mika akagadza muRevhi, jaya rikava muprista wake akagara mumba make. Uye Mika akati, “Zvino ndinoziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, sezvo muRevhi uyu ava muprista wangu.” Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo. Uye mumazuva iwayo vorudzi rwavaDhani vakanga vachitsvaka nzvimbo yavo pachavo yavangagara, nokuti vakanga vasati vapiwa nhaka pakati pamarudzi eIsraeri. Saka vaDhani vakatuma varwi vashanu vaibva kuZora neEshitaori kuti vandoshora nyika nokuitarisisa. Varume ava vakanga vachimirira dzimba dzavo dzose. Vakavaudza kuti, “Endai munotarisisa nyika.” Varume vakapinda munyika yezvikomo yaEfuremu vakasvika paimba yaMika, vakavatapo. Vakati vava pedyo nemba yaMika, vakaziva inzwi rejaya muRevhi; saka vakatsaukiramo vakamubvunza vachiti, “Ndianiko akakuuyisa kuno? Unobatei pano? Seiko uri pano?” Akavataurira zvaakanga aitirwa naMika, uye akati, “Akandipa basa uye ndiri muprista wake.” Ipapo vakati kwaari, “Tapota, tibvunzire Mwari kuti tizive kana rwendo rwedu ruchabudirira.” Muprista akavapindura akati, “Endai henyu norugare. Rwendo rwenyu rwatendwa naJehovha.” Saka varume vashanyi vaya vakabvapo vakandosvika kuRaishi, uko kwavakandoona kuti vanhu vakanga vagere zvakanaka, sezvakaita vaSidhoni, vasina chavanofungidzira uye vagere zvakanaka. Uye sezvo nyika yavo yakanga isingashayiwi chinhu, vakanga vakabudirira. Uyezve, vakanga vagere kure nava Sidhoni uye vakanga vasina ushamwari naani zvake. Vakati vadzokera kuZora neEshitaori, hama dzavo dzakavabvunza dzikati, “Makazviona sei zvinhu imi?” Vakapindura vakati, “Uyai, tivarwise! Takaona kuti nyika yacho yakanaka kwazvo. Hamungaiti chimwe chinhu here? Musanonoka kuendako kundoitora. Pamunosvikako muchawana mumaoko enyu naMwari, nyika isina kana chainoshayiwa.” Ipapo mazana matanhatu avarume vaibva paimba yavaDhani vakapakata zvombo kuti vandorwa, vakasimuka vachibva kuZora neEshitaori. Vari munzira yavo vakadzika misasa pedyo neKiriati Jearimi muJudha. Ndokusaka nzvimbo iri kumavirira eKiriati Jearimi ichinzi Mahane Dhani kusvikira zuva ranhasi. Kubva ipapo vakaenda kunyika yezvikomo yaEfuremu uye vakasvika kumba kwaMika. Ipapo varume vashanu vakanga vandoshora nyika yeRaishi vakati kuhama dzavo, “Munoziva here kuti imwe yedzimba idzi ine efodhi, vamwe vamwari, chifananidzo chakavezwa nechifananidzo chakaumbwa? Zvino imi munoziva zvokuita.” Saka vakatsaukiramo vakaenda kumba kwejaya muRevhi kumba kwaMika vakandomukwazisa. Mazana matanhatu avaDhani, vakapakata zvombo zvokurwa, vakamira pamukova wokupinda nawo pasuo. Varume vashanu vakanga vandoshora nyika vakapinda mukati vakatora chifananidzo chakavezwa, efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakaumbwa asi muprista namazana matanhatu avarume vakanga vakapakata zvombo zvokurwa nazvo vakamira pamukova wesuo. Varume ava vakati vapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakaumbwa, muprista akati kwavari, “Muri kuiteiko?” Vakamupindura vakati, “Nyarara! Usambotaura shoko. Handei tose, ugova baba vedu nomuprista wedu. Handiti zviri nani kushumira rudzi neimba iri muIsraeri somuprista pachinzvimbo cheimba yomunhu mumwe here?” Ipapo muprista akafara. Akatora efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakavezwa akaenda pamwe chete navanhu. Vakaisa vana vavo vaduku, zvipfuwo zvavo nenhumbi dzavo pamberi pavo, vakasimuka vakaenda. Vakati vafamba chinhambwe kubva pamba yaMika varume vaigara pedyo naMika vakadanwa pamwe chete vakatevera vaDhani vakavabata. Pavakadaidzira mushure mavo, vaDhani vakatendeuka vakati kuna Mika, “Wakaita seiko iwe, zvawadana vanhu vako kuti vazorwa?” Akapindura akati, “Makatora vamwari vandakaita, uye muprista wangu mukaenda naye. Chii zvino chandasarirwa nacho? Mungabvunza seiko muchiti, ‘Wakaita seiko iwe?’ ” VaDhani vakapindura vakati, “Usaita nharo nesu, kuti varume vane hasha varege kukurwisa, uye iwe nemhuri yako mukazorasikirwa noupenyu hwenyu.” Saka vaDhani vakaenda zvavo, uye Mika, achiona kuti vakanga vaine simba kukunda iye, akadzoka akaenda kumusha kwake. Ipapo vakatora zvakanga zvagadzirwa naMika, uye muprista wake, vakaenda kuRaishi, vakandorwa navanhu vakanga vasina chavanofungidzira vano rugare. Vakavauraya nomunondo vakavapisira maguta avo nomoto. Pakanga pasina munhu anovanunura nokuti vaigara kure neSidhoni uye vasina ushamwari naani zvake. Guta rakanga riri mumupata waiva pedyo neBheti Rehobhi. VaDhani vakavakazve guta vakagaramo. Vakaritumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo Dhani, akanga aberekerwa Israeri, kunyange raimbonzi Raishi. Ikoko vaDhani vakazvimisira chifananidzo, uye Jonatani mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, uye vanakomana vake vakava vaprista vorudzi rwaDhani kusvikira panguva youtapwa hwenyika. Vakaramba vachishandisa zvifananidzo zvakaitwa naMika, nguva dzose imba yaMwari payakanga iri muShiro. Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo. Zvino mumwe muRevhi akanga achigara munyika iri kure yezvikomo yeEfuremu akatora murongo aibva kuBheterehema muJudha. Asi akanga asina kutendeka kwaari. Akamusiya akadzokerazve kumba kwababa vake kuBheterehema, Judha. Mushure mokunge agarako kwemwedzi mina, murume wake akaenda kwaari kundomunyengetedza kuti adzoke. Akanga ane muranda wake nembongoro mbiri. Akamupinza mumba mababa vake, uye baba vake vakati vamuona, vakamugamuchira nomufaro. Tezvara vake, ivo baba vomusikana, vakamugombedzera kuti agare; saka akagara naye kwamazuva matatu, vachidya nokunwa uye achivatapo. Pazuva rechina vakamuka mangwanani vakagadzirira kuti vaende, asi baba vomusikana vakati kumukuwasha wavo, “Simbisa mwoyo wako nechokudya; ipapo mugoenda henyu.” Saka vose vari vaviri vakagara pasi kuti vadye nokunwa pamwe chete. Mushure maizvozvo, baba vomusikana vakati, “Ndapota chivata hako usiku uno uye umbofara.” Uye murume uyu akati asimuka kuti aende, tezvara vake vakamunyengetedza, saka akavatapo usiku uhwo. Mangwanani ezuva reshanu, paakamuka kuti aende, baba vomusikana vakati, “Simbisa mwoyo wako. Gara kusvikira masikati!” Saka vose vari vaviri vakadya pamwe chete. Ipapo murume, murongo wake uye nomuranda wake, vakati vasimuka kuti vaende, tezvara wake, baba vomusikana vakati, “Zvino chiona kwava kudoka. Chivata hako pano usiku huno; kwavira. Gara ufadze mwoyo wako. Mangwana mangwanani, ungamuka ugopinda hako munzira yako.” Asi, nokusada kuvatazve humwe usiku, murume uya akabuda akaenda akananga kuJebhusi (ndiro Jerusarema), nembongoro dzake mbiri dzakaiswa zvigaro, nomurongo wake. Vakati vava pedyo neJebhusi uye zuva rakanga rovira, muranda akati kuna tenzi wake, “Uyai, titsaukire muguta iri ravaJebhusi tindovatamo.” Tenzi wake akapindura akati, “Kwete. Hatingapindi muguta ravatorwa, vanhu varo zvavasiri vaIsraeri. Tichapfuurira kuGibhea.” Akaenderera mberi akati, “Uyai, tiedze kusvika kuGibhea kana kuRama tigovata mune imwe yenzvimbo idzi.” Saka vakapfuurira mberi, uye zuva rakavira pavakanga vasvika muGibhea muBhenjamini. Imomo, ndimo mavakamira kuti vavate. Vakaenda vakandogara muchivara cheguta, asi hapana munhu akavatora akavapinza mumba make usiku. Madekwana iwayo, imwe harahwa yaibva munyika yezvikomo yeEfuremu, yaigara muGibhea (vanhu venzvimbo vaiva vaBhenjamini), yakasvika ichibva kubasa rayo kumunda. Yakati yatarira ikaona mufambi ari muchivara cheguta, harahwa ikabvunza ikati, “Uri kuendepiko? Wabvepiko?” Akapindura akati, “Tiri kubva kuBheterehema muJudha; tiri kuenda kure kunyika yezvikomo yeEfuremu, ndiko kwandinogara. Ndakanga ndiri kuBheterehema muJudha, asi iye zvino ndiri kuenda kumba kwaJehovha. Hapana munhu anditora akandipinza mumba make. Tine zvose mashanga nouswa hwembongoro dzedu uye chingwa chedu newaini yedu, isu varanda venyu, ini, murandakadzi wenyu, nejaya ratiinaro. Hatina chinhu chatingada hedu.” Harahwa yakati, “Munogona kuuya kumba kwangu. Ndichakupai zvose zvamunoshayiwa. Asi bedzi usavata pachivara.” Saka akamutora akamupinza mumba make uye akapa mbongoro dzake zvokudya. Vakati vashamba tsoka dzavo, vakadya zvokudya uye vakanwa. Vachiri pakufara havo, vamwe vanhu vakaipa vomuguta vakakomba imba. Vachigogodza pamukova, vakadanidzira kuharahwa yakanga iri iyo muridzi weimba vachiti, “Budisa murume uyo apinda mumba mako kuti tivate naye.” Muridzi wemba akabuda panze akati kwavari, “Kwete, shamwari dzangu, regai kuita zvakaipa kudai. Sezvo murume uyu ari mueni wangu, regai kuita chinhu ichi chinonyadzisa kudai. Tarirai, heyi mhandara mwanasikana wangu uyu, uye murongo wake. Ndichavabudisira kwamuri izvozvi, uye munogona kuvabata uye mugoita kwavari zvose zvamunoda. Asi kumurume uyu, regai kuita chinhu chinonyadzisa zvakadaro.” Asi varume ava havana kuda kumuteerera. Saka murume uyu akatora murongo wake akamuendesa kunze kwavari, uye vakamubata chibharo vakamuchinya usiku hwose, uye panguva dzamambakwedza vakamuregedza kuti aende. Kwaedza, mukadzi akadzokera kumba kwaigara tenzi wake, akawira pasi pamukova wemba uye akavatapo kusvikira kwaedza. Tenzi wake akati achimuka mangwanani akazarura mukova wemba akabuda panze kuti afambire mberi norwendo rwake, onei hoyo murongo wake avete akawira pasi pamukova wemba, maoko ake ari pachikumbaridzo. Iye akati kwaari, “Muka; handei.” Asi pakanga pasina mhinduro. Ipapo murume uya akamuisa pambongoro akasimuka akaenda kumusha. Akati achisvika kumusha, akatora banga akaguragura murongo wake, mutezo muzvidimbu gumi nezviviri akazvitumira munzvimbo dzose dzeIsraeri. Mumwe nomumwe akazviona akati, “Chinhu chakadai hachina kutongoonekwa kana kuitwa, kubva pazuva rakabuda vaIsraeri muIjipiti. Fungai pamusoro pazvo! Zvicherechedzei! Tiudzei zvokuita!” Ipapo vaIsraeri vose kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha uye nokubva munyika yeGireadhi vakabuda somunhu mumwe chete vakaungana pamberi paJehovha muMizipa. Vatungamiriri vavanhu vose vamarudzi eIsraeri vakandomira panzvimbo dzavo paungano yavanhu vaMwari, zviuru zvamazana mana zvavarwi vakapakata minondo. (VaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vakwira kuMizipa.) Ipapo vakati, “Dotiudzai kuti chinhu chakaipisisa kudai chakaitika sei?” Saka muRevhi, murume womukadzi akapondwa akati, “Ini nomurongo wangu takasvika paGibhea muBhenjamini kuti tindovatamo. Panguva dzousiku, varume veGibhea vakauya kwandiri vakakomba imba vachida kundiuraya. Vakabata murongo wangu chibharo, uye akafa. Ndakatora murongo wangu, ndikamugura-gura uye ndikatumira chidimbu chimwe chete kunharaunda imwe neimwe yenhaka yeIsraeri, nokuti ndivo vakaita chinhu ichi chinonyangadza uye nokuita kunonyadzisa muIsraeri. Zvino, imi vaIsraeri mose, taurai uye mupe mutongo wenyu.” Vanhu vose vakasimuka somunhu mumwe chete vakti, “Hakuna mumwe wedu achaenda kumba. Kwete, hakuna mumwe wedu achadzokera kumba kwake. Asi zvino izvi ndizvo zvatichaita kuGibhea: Tichakwira kundorwa nayo sokuratidza kwomujenya. Tichatora varume gumi kubva muzana roga roga kubva kumarudzi ose eIsraeri, uye zana kubva muchiuru, uye chiuru kubva mugumi rezviuru, kuti vavigire varwi mbuva. Ipapo, hondo painosvika paGibhea muBhenjamini, ichavapa zvakavafanira zvouipi hwavo uhu hwakaitwa muIsraeri.” Saka varume vose veIsraeri vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete kuti vandorwisa guta. Marudzi aIsraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vachiti, “Munoti kudiniko pamusoro pemhosva yakaipisisa yakaparwa pakati penyu? Zvino tipei varume avo vakaipa veGibhea kuti tivauraye tigobvisa chakaipa muIsraeri.” Asi vaBhenjamini havana kuda kuteerera hama dzavo vaIsraeri. Vakabva mumaguta avo vakaungana pamwe chete paGibhea kuti vazorwa navaIsraeri. Pakarepo vaBhenjamini vakaunganidza varume veminondo zviuru makumi maviri nezvitanhatu kubva mumaguta avo, pamusoro pamazana manomwe akasarudzwa kubva kuna avo vaigara muGibhea. Pakati pavarwi ava vose pakanga pana mazana manomwe avarume vakasarudzwa vakanga vane ziboshwe, mumwe nomumwe wavo aigona kuposhera ibwe kutsuro asingapotsi. KuIsraeri, kunze kwaBhenjamini vakaverenga varume veminondo zviuru mazana mana, vose vakanga vari varwi. VaIsraeri vakakwira kuBheteri vakandobvunza Mwari. Vakati, “Ndiani wedu achatanga kundorwa navaBhenjamini?” Jehovha akapindura akati, “Judha ndiye achatanga kuenda.” Fume mangwana, vaIsraeri vakamuka vakadzika misasa pedyo neGibhea. Varume veIsraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini uye vakamira panzvimbo dzokurwa navo paGibhea. VaBhenjamini vakabuda muGibhea uye vakauraya vaIsraeri zviuru makumi maviri nezviviri munhandare yehondo pazuva iroro. Asi varume veIsraeri vakakurudzirana uyezve vakamira panzvimbo dzavo dzavakanga vatora pazuva rokutanga. VaIsraeri vakakwira vakandochema pamberi paJehovha kusvikira madekwana, uye vakabvunza Jehovha. Vakati, “Tichakwirazve kundorwa navaBhenjamini, idzo hama dzedu here?” Jehovha akapindura akati, “Kwirai mundorwa navo.” Ipapo vaIsraeri vakaswedera pedyo navaBhenjamini pazuva repiri. Nguva iyi, vaBhenjamini pavakabuda kubva muGibhea kuti vandovarwisa, vakauraya vamwezve zviuru gumi nezvisere zvavaIsraeri, vose vakanga vakapakata minondo. Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Uye vaIsraeri vakabvunza Jehovha. (Pamazuva iwayo, areka yesungano yaMwari yakanga iripo, Uye Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, achishumira pamberi payo.) Vakabvunza vakati, “Tichaendazve kundorwa naBhenjamini hama yedu here kana kuti kwete?” Jehovha akati, “Endai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.” Ipapo vaIsraeri vakandovandira vakakomberedza Gibhea. Vakakwira kundorwa navaBhenjamini pazuva retatu uye vakamira panzvimbo dzavo dzehondo kuti varwe neGibhea sezvavakamboita kare. VaBhenjamini vakabuda kuzosangana navo uye vakakwezverwa kure neguta. Vakatanga kubaya vaIsraeri sapakutanga, zvokuti varume vanenge makumi matatu vakafa musango uye nomumigwagwa, inoti mumwe unoenda kuBheteri nomumwe wacho kuGibhea. VaBhenjamini pavaiti, “Tiri kuvakunda sapakutanga,” vaIsraeri vaiti, “Ngatidududzirei mumashure tivakwezvere kure neguta kumigwagwa.” Varume vose veIsraeri vakafamba kubva panzvimbo dzavo uye vakandomira paBhaari Tamari, uye vaIsraeri vakanga vakavandira vakabuda munzvimbo dzavo pamavirira eGibhea. Ipapo zviuru gumi zvavarume veIsraeri vakanga vakasarudzwa vakavarwisa nechemberi paGibhea. Kurwa kwakanga kwanyanya kwazvo zvokuti vaBhenjamini havana kuziva kuti njodzi yakanga yava pedyo zvakaita sei. Jehovha akakunda Bhenjamini pamberi peIsraeri, uye pazuva iro vaIsraeri vakauraya vaBhenjamini, vose vakanga vakapakata minondo zviuru makumi maviri nezvishanu nezana rimwe chete. Ipapo vaBhenjamini vakaona kuti vakanga vakundwa. Zvino varume veIsraeri vakanga vachitiza pamberi pavaBhenjamini, nokuti vakanga vachisimba nokuvandira kwavakanga varonga pedyo neGibhea. Varume vakanga vakavandira vakapinda muGibhea pakarepo, vakapararira uye vakaparadza guta rose nomunondo. Varume veIsraeri vakanga varonga navakanga vakavandira kuti vaifanira kubatidza moto unobuda utsi huzhinji muguta, uye ipapo varume veIsraeri vaizodzoka kundorwa. VaBhenjamini vakanga vatotanga kuuraya varume veIsraeri (vanenge makumi matatu), uye vakati, “Tiri kuvakunda sapahondo yokutanga.” Asi utsi pahwakatanga kukwira kubva muguta, vaBhenjamini vakacheuka vakaona utsi hweguta rose huchikwira kudenga. Ipapo varume veIsraeri vakavadzokera, uye varume veBhenjamini vakavhundutswa, nokuti vakaziva kuti njodzi yakanga yavawira. Saka vakatiza pamberi pavaIsraeri nenzira inoenda kurenje, asi havana kugona kupunyuka pahondo. Uye varume veIsraeri vakabuda kubva mumaguta vakavauraya ipapo. Vakakomba vaBhenjamini, vakavadzinganisa vakavabata nyore nyore pedyo neGibhea nechokumabvazuva. VaBhenjamini zviuru gumi nezvisere vakafa, vose vaiva varwi voumhare. Vakati vadzoka vakatiza vakananga kurenje kuruware rwaRimoni, vaIsraeri vakauraya varume zviuru zvishanu (mumigwagwa). Vakaramba vachitevera vaBhenjamini kusvikira paGidhomi uye vakaurayazve vamwe zviuru zviviri. Pazuva iroro, kwakafa varume vaBhenjamini veminondo zviuru makumi maviri nezvishanu, vose varwi voumhare. Asi varume mazana matanhatu vakatendeuka vakatizira murenje kuruware rweRimoni, kwavakandogara kwemwedzi mina. Varume veIsraeri vakadzokera kuBhenjamini uye vakaparadza maguta ose nomunondo, kusanganisira mhuka nezvimwe zvose zvavakawana. Maguta ose avakaona vakaapisa. Varume veIsraeri vakanga vaita mhiko paMizipa vachiti: “Hapana mumwe wedu acharoodza mwanasikana wake kumuBhenjamini.” Vanhu vakaenda kuBheteri, uko kwavakagara pamberi paMwari kusvikira madekwana, vachisimudza manzwi avo uye vachichema zvikuru. Vakachema vachiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, seiko izvi zvakaitika kuIsraeri? Seiko rumwe rudzi rwashayikwa muIsraeri nhasi?” Mangwanani ezuva rakatevera, vanhu vakavaka aritari uye vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo vaIsraeri vakabvunza vakati, “Ndianiko kubva kumarudzi ose aIsraeri akatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha?” Nokuti vakanga vaita mhiko kuti ani zvake anotadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa anofanira kuurayiwa zvirokwazvo. Zvino vaIsraeri vakasuwa nokuda kwehama dzavo, vaBhenjamini. “Vakati nhasi rumwe rudzi rwabviswa pana Israeri.” Tichapa seiko vakadzi kuna avo vakasara, sezvo takapika kuna Jehovha kuti tirege kupa upi zvake wavanasikana vedu kuti awanikwe navo. Ipapo vakabvunza vakati, “Ndavapiko pamarudzi aIsraeri vakatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa?” Vakawana kuti kwakanga kusina munhu aibva kuJabheshi Gireadhi akanga auya kumusasa kuungano. Nokuti vakati vaverenga vanhu, vakaona kuti kwakanga kusina munhu weJabheshi Gireadhi akanga aripo. Saka ungano yakatuma varume vehondo zviuru gumi nezviviri varayirwa kuti vaende Jabheshi Gireadhi vandouraya nomunondo vanhu vanogarako, kusanganisira vakadzi navana. Vakati, “Hezvi zvamunofanira kuita: Urayai murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe asiri mhandara.” Vakawana pakati pavanhu vaigara muJabheshi Gireadhi mhandara mazana mana vakanga vasina kumbovata navarume, uye vakaenda navo kumusasa paShiro muKenani. Ipapo ungano yose yakatuma nhume neshoko rorugare kuvaBhenjamini paruware rweRimoni. Saka vaBhenjamini vakadzoka panguva iyoyo uye vakapiwa vakadzi veJabheshi Gireadhi vakanga vasara. Asi vakanga vasina kuvakwanira vose. Vanhu vakasuwa nokuda kweBhenjamini, nokuti Jehovha akanga aisa mukaha mumarudzi avaIsraeri. Uye vakuru veungano vakati, “Sezvo vakadzi veBhenjamini vakaparadzwa, tichawanira seiko varume vakasara vakadzi?” Vakati, “VaBhenjamini vakasara vanofanira kuva navadyi venhaka kuitira kuti rudzi rwaIsraeri rurege kurova. Hatigoni kuvapa vanasikana vedu kuti vave vakadzi vavo sezvo isu vaIsraeri takapika tichiti, ‘Ngaatukwe munhu anopa mukadzi kumuBhenjamini.’ Asi tarirai, kune mutambo waJehovha wegore negore paShiro, nechokumusoro kweBheteri, kumabvazuva omugwagwa unobva kuBheteri uchienda kuShekemu, nezasi kweRebhona.” Saka vakarayira vaBhenjamini vakati, “Endai mundovanda muminda yemizambiringa uye mutarire. Vasikana veShiro pavanobuda kuti vandotamba navamwe, ipapo mumhanye muchibva muminda yemizambiringa uye mumwe nomumwe wenyu azvitorere mukadzi kubva kuvasikana veShiro mugoenda henyu kunyika yavaBhenjamini. Madzibaba avo kana hanzvadzi dzavo pavanouya kuzomhan'ara kwatiri, isu tichati kwavari, ‘Tiitirei henyu zvakanaka nokuvabatsira, nokuti hatina kuvawanira vakadzi panguva yehondo, uye imi hamuna mhosva, sezvo musina kupa vanasikana venyu kwavari.’ ” Saka ndizvo zvakaitwa navaBhenjamini. Vasikana vachiri kutamba, murume mumwe nomumwe akabata musikana ndokuenda naye kuti ave mukadzi wake. Ipapo vakadzokera kunhaka yavo uye vakavakazve maguta vakagara maari. Panguva iyoyo vaIsraeri vakabva panzvimbo iyo vakaenda kumusha kumarudzi avo nokudzimba dzavo, mumwe nomumwe kunhaka yake pachake. Mumazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati paIsraeri; mumwe nomumwe aiita zvaaifunga kuti zvakanaka. Mumazuva okutonga kwavatongi munyika makaita nzara, uye mumwe murume aibva kuBheterehema Judha, pamwe chete nomukadzi wake navanakomana vake vaviri, akaenda kundogara munyika yeMoabhu kwechinguva. Murume uyu ainzi Erimereki, mukadzi wake achinzi Naomi, uye mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni. Vaiva vaEfurata vaibva kuBheterehema Judha. Uye vakaenda kuMoabhu vakagarako. Zvino Erimereki, murume waNaomi akafa, iye akasiyiwa aine vanakomana vake vaviri. Vakawana vakadzi vechiMoabhu, zita romumwe rainzi Opa uye romumwe rainzi Rute. Mushure mokunge vagarako kwamakore anenge gumi, vose vari vaviri, Maroni naKirioni vakafawo, Naomi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake. Naomi paakanga achiri muMoabhu, akanzwa kuti Jehovha akazoshanyira vanhu vake akavapa zvokudya, iye navaroora vake vakagadzirira kudzokera kumusha vachibva ikoko. Akabva pamwe chete navaroora vake panzvimbo yavaigara vakasimuka vakaenda nenzira yaizovasvitsa kunyika yeJudha. Zvino Naomi akati kuvaroora vake vaviri, “Chidzokerai henyu, mumwe nomumwe wenyu kuimba yamai vake. Jehovha ngaakuitirei tsitsi, sezvamakaitirawo vakafa venyu nokwandiri. Jehovha ngaaite kuti mumwe nomumwe wenyu awane zororo mumba yomumwe murume.” Ipapo akavatsvoda uye vakachema zvikuru. Zvino vakati kwaari, “Tichadzokera nemi kuvanhu vokwenyu.” Asi Naomi akati kwavari, “Dzokerai, vana vangu. Mungadireiko kuenda neni? Ndichazova navamwe vanakomana, vangazova varume venyu here? Dzokerai, vanasikana vangu; ini ndachembera kwazvo zvokuti handingavi nomumwe murume. Kunyange dai ndaifunga kuti ndichine tariro, kunyange ndaiva nomurume usiku huno ndikabereka vanakomana, maizovamirira kusvikira vakura here? Mungazogara musina kuwanikwa nokuda kwavo here? Kwete, vanasikana vangu. Izvi zvandishungurudza kwazvo kupinda imi, nokuti ruoko rwaJehovha rwauya kuzorwisana neni!” Nokuda kwaizvozvo, vakachema zvakare. Ipapo Opa akasvetana navamwene akaonekana navo, asi Rute akanamatirana navo. Naomi akati kwaari, “Tarira, mukadzinyina wako adzokera kuvanhu vokwake nokuvamwari vake. Chidzokera naye.” Asi Rute akapindura akati, “Musandigombedzera kuti ndikusiyei kana kukufuratirai. Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, uye pamunogara ndipo pandichagarawo. Vanhu venyu vachava vanhu vangu uye Mwari wenyu achava Mwari wangu. Pamunofira ndipo pandichafirawo, uye ndipo pandichavigwa. Jehovha ngaandirange, zvinorwadza kwazvo, kana pakava nechimwe chinhu chingatiparadzanisa kunze kworufu.” Zvino Naomi akati aona kuti Rute akanga ashinga kuenda naye, akarega kumugombedzera. Saka vakadzi vaviri ava vakaramba vachifamba kusvikira vasvika kuBheterehema. Vakati vasvika muBheterehema, guta rose rakazungunuswa nokuda kwavo, uye vakadzi vakakatyamara vachiti, “Angava Naomi here uyu?” Iye akati kwavari, “Musandidaidza kuti Naomi. Ndidaidzei kuti Mara, nokuti Wamasimba Ose akashungurudza upenyu hwangu kwazvo. Ndakaenda ndakazara, asi Jehovha akandidzosa ndisina chinhu. Seiko muchinditi Naomi? Jehovha akandirwadzisa; Wamasimba Ose akauyisa rushambwa pamusoro pangu.” Naizvozvo Naomi akadzokera achibva kuMoabhu, naRute muMoabhu, muroora wake, vakasvika muBheterehema nguva yokukohwa bhari ichangotanga. Zvino Naomi aiva nehama yokumurume wake, aibva kuimba yaErimereki, murume akasimukira, zita rake richinzi Bhoazi. Zvino Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Regai ndiende kuminda ndinonongera zviyo zvinosara ndiri shure kwaani zvake achandiitira nyasha.” Naomi akati kwaari, “Enda hako mwanasikana wangu.” Naizvozvo akaenda kuminda akatanga kunongera ari muminda achitevera shure kwavacheki. Zvakaitika ndezvokuti akabva angoenda kundoshanda mumunda waBhoazi, uyo aibva kuimba yaErimereki. Panguva iyoyo Bhoazi akasvika achibva kuBheterehema ndokukwazisa vacheki achiti, “Jehovha ave nemi!” Ivo vakapindura vachiti, “Jehovha akuropafadzei!” Bhoazi akabvunza mutariri wavacheki akati, “Ko, mukadzi wechidiki uyo ndowani?” Mutariri akapindura akati, “Mukadzi wechiMoabhu akadzoka pamwe chete naNaomi vachibva kuMoabhu. Iye ati, ‘Ndapota nditenderei kunongera ndichiunganidza pakati pezvisote ndiri mushure mavacheki.’ Abva aenda mumunda akashanda nesimba kubva mangwanani kusvikira zvino, kunze kwenguva pfupi yaazorora ari mudumba iro.” Saka Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa, mwanasikana wangu. Usaenda kunonongera uri kuno mumwe munda uye usaenda kure uchibva pano. Gara pano navashandi vangu vechisikana ava. Utarire munda uyo waunoona varume vachicheka, ugotevera mushure mavasikana. Ndarayira majaya kuti arege kukubata. Uye paunonzwira nyota, uende kunonwa mvura mumidziyo iyo yazadzwa namajaya.” Ipapo, akawira pasi nechiso chake akatsikitsira pasi. Akashamisika, akati, “Zvaita sei kuti ndiwane nyasha dzakadai pamberi penyu kuti mundione ini mutorwa?” Bhoazi akapindura achiti, “Ndakaudzwa pamusoro pezvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako uye nenyika yokwako ukauya kuzogara navanhu vawakanga usingazivi. Jehovha, ngaakuripire pane zvawakaita. Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaakupe mubayiro uzere, iye wawakauya ukavanda pasi pamapapiro ake.” Rute akati, “Regai ndirambe ndichiwana nyasha pamberi penyu, ishe wangu. Mandinyaradza uye mataura netsitsi kumurandakadzi wenyu kunyange ndisina kufanana navamwe varandakadzi venyu.” Panguva yokudya, Bhoazi akati kwaari, “Uya kuno. Tora chingwa udye uchiseva muvhiniga iyi.” Akati agara pasi navacheki, Bhoazi akamupa zviyo zvakakangwa. Iye akadya zvose zvaaida zvimwe zvikasara. Paakasimuka kuti anongere, Bhoazi akarayira majaya ake achiti, “Kunyange akaunganidza pakati pezvisote, musamudzivisa. Asi, mumuvhomorere dzimwe tsama, kubva pamasumbu enyu mumusiyire agononga, uye musamutsiura.” Naizvozvo Rute akanongera ari mumunda kusvikira manheru. Ipapo akapura bhari raakanga aunganidza, rikasvika pachiero cheefaa. Akaritakura akaenda naro kuguta, vamwene vake vakaona kuti akanga aunganidza zvakadini. Rute akavigirawo vamwene vake zvaakanga asiya paakanga adya akaguta. Vamwene vake vakamubvunza vakati, “Nhasi wanga uchinongera uri kupiko? Washandirepi? Ngaaropafadzwe murume uyo akuona.” Ipapo Rute akaudza vamwene vake pamusoro pomunhu akanga ari mwene wenzvimbo yaakanga achishandira. Akati kwaari, “Zita romurume wandashanda naye nhasi ndiBhoazi.” Naomi akati kumuroora wake, “Jehovha ngaamuropafadze! Iye asina kurega kuratidza tsitsi kuvapenyu navakafa.” Akati, “Murume iyeye ihama yedu yapedyo; mumwe wavadzikinuri vedu.” Ipapo Rute muMoabhu akati, “Abva ati kwandiri, ‘Gara navashandi vangu kusvikira vapedza kucheka zviyo zvangu zvose.’ ” Naomi akati kuna Rute muroora wake, “Zvichava zvakanaka kwauri mwanangu, kuti uende navasikana vake, nokuti ukaenda mumunda womumwe ungazokanganiswa.” Saka Rute akagara pedyo navasikana vaishandira Bhoazi achinongera kusvikira kuchekwa kwegorosi nebhari kwapera. Uye iye akagara navamwene vake. Rimwe zuva Naomi, vamwene vake vakati kwaari, “Mwanasikana wangu, handingaedzi kukuwanira musha here, paungawana zvinokuriritira zvakakwana? Ko, Bhoazi ane vasikana vawanga uchishanda navo haasi hama yedu yapedyo here? Achange ari paburiro achirudza bhari nhasi manheru. Shamba ugozora mafuta anonhuwira, ugopfeka nguo dzako dzakaisvonaka. Ipapo ugodzika kuburiro, asi usaite kuti azive kuti iwe uripo kusvikira apedza kudya nokunwa. Kana orara, ucherechedze nzvimbo yaanorara. Ipapo ugoenda ufukure tsoka dzake ugorara pasi. Iye achakuudza zvaunofanira kuita.” Rute akapindura akati, “Ndichaita zvose zvamareva.” Naizvozvo akadzika kuburiro akaita zvose zvaakataurirwa navamwene vake. Bhoazi akati apedza kudya nokunwa uye mwoyo wake wafara, akaenda akandorara kumuchetocheto kwomurwi wezviyo. Rute akaswedera kwaari chinyararire, akafukura tsoka dzake akarara pasi. Pakati pousiku chimwe chinhu chakavhundutsa murume, akashanduka akaona mukadzi akarara kumakumbo kwake. Akamubvunza akati, “Ndiwe aniko?” Iye akati, “Ndini murandakadzi wenyu Rute. Tambanudzai nguo yenyu muise pamusoro pangu, sezvo muri hama yapedyo nomudzikinuri.” Akapindura akati kwaari, “Jehovha akuropafadze, mwanasikana wangu. Tsitsi idzi dzakakura kupinda zvawakaratidza pakutanga. Hauna kumhanyira majaya, hazvinei kuti varombo kana vapfumi. Naizvozvo zvino, mwanasikana wangu, usatya. Ndichakuitira zvose zvawakakumbira. Varume vose vagere neni muguta vanoziva kuti uri mukadzi akatsiga. Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti ndiri hama yapedyo, pane imwe hama yapedyo ari pedyo kupfuura ini. Chigara hako usiku huno, uye mangwanani kana achida kudzikinura, zvakanaka, ngaadzikinure hake. Asi kana asingadi, naJehovha mupenyu ini ndichazviita. Chivata pano kusvikira mangwanani.” Naizvozvo akarara kumakumbo ake kusvikira mangwanani, asi akamuka mambakwedza pasina aigona kuzivikanwa kuti ndiani; uye Bhoazi akati, “Usaita kuti zvizivikanwe kuti pane mukadzi akauya paburiro.” Iye akati kwaarizve, “Ndipe kuno mucheka wawakamonera ugouutambanudza.” Akati aita izvozvo, Bhoazi akadururira zviyero zvebhari zvitanhatu mauri akamutakudza pamusoro. Ipapo akadzokera kuguta. Zvino Rute akati asvika kuna vamwene vake, Naomi akamubvunza akati, “Zvaita mafambiroi mwanasikana wangu?” Ipapo iye akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naBhoazi, uye akatizve, “Andipa zviyero zvitanhatu izvi zvebhari, akati, ‘Usadzokera kuna vamwene vako usina chinhu.’ ” Ipapo Naomi akati, “Chimira, mwanasikana wangu, kusvikira waona zvinoitika. Nokuti murume uyu haangazorori kusvikira agadzirisa nyaya iyi nhasi.” Zvichakadaro, Bhoazi akakwira akaenda pasuo reguta akandogarapo. Hama yapedyo mudzikinuri uya waaireva akati asvika, Bhoazi akati kwaari, “Douya napano, shamwari yangu, ugogara pasi.” Naizvozvo akaenda akandogara pasi. Bhoazi akatora vakuru veguta gumi akati kwavari, “Garai pano apa,” ivo vakaita saizvozvo. Ipapo akati kuhama yapedyo, mudzikinuri, “Naomi uya akadzoka kumusha kubva kuMoabhu, ari kutengesa munda waiva waErimereki hama yedu. Ndafunga kuti ndiise nyaya kwauri nokukupa zano rokuti utenge pamberi paavo vagere pano uye napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikinura, ita hako izvozvo. Asi kana usingadi, ndiudze, kuti ndigoziva. Nokuti hapana mumwe ane mvumo yokuzviita kunze kwako, uye ini ndini ndinokutevera.” Iye akati, “Ndichautenga.” Ipapo Bhoazi akati, “Pazuva raunotenga munda uyu kubva kuna Naomi naRute muMoabhu, unotorawo chirikadzi yomushakabvu, kuitira kuti mumutse zita romufi nenhaka yake.” Uye hama yapedyo, mudzikinuri akati, “Kana zvakadaro handingagoni kuudzikinura nokuti ndingazokanganisa nhaka yanguwo. Chiutenga iwe pachako. Ini handikwanisi kuzviita.” (Zvino pamazuva akare muIsraeri, pakutenga nokutsinhana midziyo uye kuti zvisimbiswe, mumwe aibvisa shangu yake oipa kuno mumwe. Iyi ndiyo yaiva nzira yokuita chibvumirano zviri pamutemo muIsraeri.) Naizvozvo hama yapedyo, mudzikinuri akati kuna Bhoazi, “Chiutenga iwe.” Uye akabvisa shangu yake. Ipapo Bhoazi akazivisa vakuru navanhu vose akati, “Nhasi muri zvapupu zvokuti ndatenga kubva kuna Naomi zvake zvose nazvose zvaiva zvaErimereki, zvaKirioni nezvaMaroni. Ndatorawo Rute muMoabhu, chirikadzi yaMaroni, kuti ave mukadzi wangu kuti ndimutse zita romushakabvu pamwe chete nenhaka yake, kuitira kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana mumabhuku eguta. Nhasi ndimi zvapupu!” Ipapo vakuru navose vaiva pasuo vakati, “Tiri zvapupu isu. Jehovha ngaaite kuti mukadzi ari kuuya mumusha mako ave saRakeri naRea, avo vakavaka pamwe chete imba yaIsraeri. Iwe dai ukasimudzirwa muEfurata uye ukava nomukurumbira muBheterehema. Kubudikidza navana vaunopiwa naJehovha nomukadzi wechidiki uyu, mhuri yako ngaive seyaPerezi, uyo akaberekerwa Judha naTamari.” Naizvozvo Bhoazi akatora Rute akava mukadzi wake. Zvino akapinda kwaari Jehovha akamuita kuti abate pamuviri, iye akabereka mwanakomana. Vakadzi vakati kuna Naomi, “Jehovha ngaarumbidzwe, uyo asina kukusiya usina hama yapedyo, mudzikinuri. Ngaave nomukurumbira pakati peIsraeri yose! Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka.” Ipapo Naomi akatora mwana, akamuisa pamakumbo ake akamurera. Vakadzi vaigarako vakati, “Naomi ava nomwana womukomana.” Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye aiva baba vaJese, baba vaDhavhidhi. Iyi ndiyo imba yaPerezi: Perezi akabereka Hezironi, Hezironi akabereka Ramu, Ramu akabereka Aminadhabhi, Aminadhabhi akabereka Nashoni, Nashoni akabereka Sarimoni, Sarimoni akabereka Bhoazi, Bhoazi akabereka Obhedhi, Obhedhi akabereka Jese, uye Jese akabereka Dhavhidhi. Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimu, muZufi, wenyika yamakomo yaEfuremu, ainzi Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfuremu. Aiva navakadzi vaviri; mumwe ainzi Hana mumwe achinzi Penina. Penina akanga ana vana asi Hana akanga asina. Gore negore murume uyu aibuda achibva muguta rake kuti andonamata nokubayira zvibayiro kuna Jehovha Wamasimba Ose paShiro, Hofini naFinehasi, vanakomana vaEri, vari vaprista vaJehovha. Nguva dzose zuva rokuti Erikana abayire chibayiro raiti kana rasvika, aipa migove yenyama kumukadzi wake Penina nokuvanakomana vake navanasikana vake vose. Asi aipa Hana mugove wakapetwa kaviri nokuti aimuda, uye Jehovha akanga azarira chibereko chake. Zvino nokuti Jehovha akanga azarira chibereko chake, muvengi wake Penina akaramba achingomudenha kuti amutsamwise. Izvi zvakaitika gore negore. Nguva dzose Hana paaienda kuimba yaJehovha, muvengi wake aimudenha kusvikira achema obva atadza kudya. Murume wake Erikana aibva ati kwaari, “Hana, uri kuchemei? Sei usingadyi? Wakasuwa neiko? Handikoshi here kwauri kudarika vanakomana gumi?” Vakati vachangopedza kudya nokunwa muShiro, Hana akasimuka. Zvino Eri muprista akanga akagara pachigaro pamukova wetemberi yaJehovha. Nokurwadziwa kwomwoyo, Hana akachema zvikuru akanamata kuna Jehovha. Uye akaita mhiko achiti, “Jehovha Wamasimba Ose, dai mukangotarira bedzi pamusoro pokutambura kwomuranda wenyu mugondirangarira, mugorega kukanganwa muranda wenyu asi mumupe mwanakomana, ipapo ndichamupa kuna Jehovha kwamazuva ose oupenyu hwake, uye hakuna chisvo chichashandiswa pamusoro wake.” Zvaakaramba achinamata kuna Jehovha, Eri akacherechedza muromo wake. Hana akanga achinamata mumwoyo make uye miromo yake yakanga ichifamba asi inzwi rake rakanga risinganzwiki. Eri akafunga kuti akanga akadhakwa uye akati kwaari, “Ucharamba uchidhakwa kusvika riniko? Siyana newaini yako.” Hana akapindura akati, “Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya. Ndanga ndisinganwi waini kana doro; ndanga ndichidurura mwoyo wangu kuna Jehovha. Musatore muranda wenyu somukadzi akaipa; ndanga ndichinyengetera pano zvichibva mukushushikana nokutambudzika kwangu kukuru.” Eri akapindura achiti, “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe zvawakumbira kwaari.” Akati, “Murandakadzi wenyu ngaawane nyasha pamberi penyu.” Ipapo akaenda hake akandodya, uye uso hwake hahuna kuzoramba hwakasuruvara. Mangwanani omusi waitevera vakamuka vakanamata pamberi paJehovha vakadzokera kumusha kwavo kuRama. Erikana akasangana naHana mukadzi wake, Jehovha akamurangarira. Naizvozvo nokufamba kwenguva, Hana akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Akamutumidza kuti Samueri, achiti, “Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha.” Zvino murume uyu Erikana paakaenda nemhuri yake yose kundopa zvibayiro zvapagore kuna Jehovha nokundozadzisa mhiko yake, Hana haana kuenda. Akati kumurume wake, “Mushure mokunge mukomana uyu ndamurumura, ndichamutora ndigomupa kuna Jehovha, uye achagara ikoko nguva dzose.” Erikana murume wake akati kwaari, “Ita zvaunoona zvakakunakira. Gara pano kusvikira wamurumura; dai Jehovha asimbisa shoko rake bedzi.” Naizvozvo mukadzi uyu akagara kumba akarera mwanakomana wake kusvikira amurumura. Mushure mokunge arumurwa, akatora mukomana uyu, ari mudiki sezvaaiva, pamwe chete nehando yamakore matatu neefaa youpfu hwakatsetseka nedende rewaini, uye akaenda naye kuimba yaJehovha kuShiro. Vakati vauraya hando, vakaenda nomukomana kuna Eri, uye Hana akati kwaari, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu ishe wangu, ndini mukadzi uya akamira parutivi penyu ndichinyengetera kuna Jehovha. Ndakakumbira mwana uyu, uye Jehovha andipa zvandakamukumbira. Saka iye zvino ndinomupa kuna Jehovha. Kwoupenyu hwake hwose achapiwa kuna Jehovha.” Uye akanamata Jehovha ipapo. Ipapo Hana akanyengetera achiti: “Mwoyo wangu unofara muna Jehovha; muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro. Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu, nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu. “Hakuna mutsvene akaita saJehovha; hakuna mumwe kunze kwenyu; hakuna Dombo rakaita saMwari wedu. “Usaramba uchitaura uchizvikudza uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako, nokuti Jehovha ndiMwari anoziva, uye naye mabasa anoyerwa. “Uta hwavarwi hwatyorwa, asi avo vakagumburwa vashongedzwa simba. Avo vaiva vakaguta vakandoshandira zvokudya zvavo, asi avo vaiva nenzara havachanzwi nzara zvakare. Uyo aiva asingabereki abereka vana vanomwe, asi iye akanga ana vana vazhinji oshayiwa simba. “Jehovha ndiye anouraya uye ndiye anoraramisa; anodzikisa kuguva uye anomutsawo. Jehovha ndiye anopa urombo uye noupfumi; uye anoninipisa uye anosimudzira. Anosimudza varombo kubva paguruva uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota; anovagarisa namachinda uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa. “Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha, pamusoro padzo akamisa nyika. Acharinda tsoka dzavatsvene vake, asi vakaipa vachanyaradzwa murima. “Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake. Avo vanopikisa Jehovha vachaparadzwa. Achavatinhirira ari kudenga; Jehovha achatonga magumo enyika. “Achapa simba kuna mambo wake, uye achasimudzira runyanga rwomuzodziwa wake.” Zvino Erikana akaenda kumusha kwake kuRama, asi mukomana akashumira pamberi paJehovha ari pasi paEri muprista. Vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaipa; vakanga vasina hanya naJehovha. Zvino yakanga iri tsika yavaprista kuvanhu kuti munhu paaibayira chibayiro uye nyama ichiri kubikwa, muranda womuprista aiuya neforogo ine zvibayiso zvitatu muruoko rwake. Aiinyudza mugango, kana muhadyana, kana mugate kana mupoto, ipapo muprista ozvitorera chero zvainge zvabudiswa neforogo. Aya ndiwo mabatiro avaiita nawo vaIsraeri vose vaiuya kuShiro. Asi, kunyange mafuta asati atsva, muranda womuprista aiuya achiti kumurume aibayira chibayiro, “Ipa muprista nyama yokugocha; haasi kuzogamuchira nyama yakabikwa kubva kwauri, asi mbishi chete.” Kana murume uya aiti kwaari, “Rega mafuta ambotanga atsva uye iwe ugozotora chero zvaunoda,” uye muranda aibva apindura achiti, “Kwete, ndipe kuno zvino; kana ukasandipa ndichaitora nechisimba.” Ichi chivi chamajaya aya chaiva chakakura kwazvo pamberi paJehovha, nokuti vaizvidza chipo chaJehovha. Asi Samueri aishumira pamberi paJehovha, mukomana aive akapfeka efodhi yomucheka. Gore rimwe nerimwe, mai vake vaimuitira nguo diki uye vaienda nayo kwaari pavaienda nomurume wavo kundopa chibayiro chegore. Eri aibva aropafadza Erikana nomukadzi wake achiti, “Jehovha ngaakupe vana nomukadzi uyu kuti vatore nzvimbo youyo waakakumbira uye akamupa kuna Jehovha.” Ipapo vaibva vaenda kumusha kwavo. Zvino Jehovha akava nenyasha kuna Hana; akabata pamuviri akabereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Zvichakadaro, mukomana uyu Samueri akakura ari pamberi paJehovha. Zvino Eri, uyo akanga akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvaiitwa navanakomana vake kuvaIsraeri vose zvokuti vairara namadzimai aishumira pasuo reTende Rokusangana. Saka akati kwavari, “Sei muchiita zvinhu zvakadai? Ndinonzwa navanhu vose pamusoro pezviito zvenyu zvakaipa izvi. Kwete, vana vangu; harisi shoko rakanaka randinonzwa richipararira pakati pavanhu vaJehovha. Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari angamumiririre, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndiani angamumiririre?” Kunyange zvakadaro, vanakomana vake havana kuteerera kutsiura kwababa vavo, nokuti kwaiva kuda kwaJehovha kuti avauraye. Zvino mukomana uyu Samueri akaramba achikura pamumhu uye napakudiwa naJehovha navanhu. Zvino munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Handina kuzviratidza pachena kuimba yababa vako here pavaiva muIjipiti pasi paFaro? Ndakasarudza baba vako kubva kumarudzi ose aIsraeri kuti vave muprista wangu, kuti vakwire kuaritari yangu, kundopisa zvinonhuwira, uye kuti vapfeke efodhi pamberi pangu. Ndakapawo imba yababa vako zvose zvipiriso zvaipiswa navaIsraeri. Sei muchizvidza chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakarayira mumba mangu? Sei muchikudza vanakomana venyu kudarika ini nokuzvi kudza pachenyu nezvikamu zvakanakisisa zvezvipiriso zvose zvinopiwa navanhu vangu veIsraeri?’ “Naizvozvo Jehovha, Mwari weIsraeri, anoti, ‘Ndakavimbisa kuti imba yako neimba yababa vako dzichashumira pamberi pangu nokusingaperi.’ Asi zvino Jehovha anoti, ‘Ngazvive kure neni! Avo vanondikudza ndichavakudza, asi avo vanondizvidza vachadzikisiswa. Nguva iri kuuya yandichagura simba rako nesimba reimba yababa vako, zvokuti hakuchazovi nomutana mumhuri yako uye uchaona kutambudzika muimba yangu. Kunyange zvazvo zvakanaka zvichizoitirwa Israeri, mumhuri yako hamuzofi makava nomutana. Mumwe nomumwe wenyu wandisingabvisi paaritari yangu achasiyiwa kuti apofumadze meso enyu nemisodzi uye kuti arwadzise mwoyo yenyu, uye zvizvarwa zvako zvose zvichafa zvichine simba. “ ‘Uye zvichaitika kuvanakomana vako vaviri, Hofini naFinehasi zvichava chiratidzo kwauri, vachafa vose zuva rimwe chete. Ndichazvimutsira muprista akatendeka, achaita zvinoenderana nezviri mumwoyo mangu nomundangariro dzangu. Ndichamisa imba yake zvakasimba, uye achashumira pamberi pomuzodziwa wangu nguva dzose. Ipapo wose achasara mumhuri yako achauya agokotama pamberi pake kuti apuwe mari yesirivha nechimedu chechingwa agokumbirisa achiti, “Dondipaiwo rimwe basa rouprista kuti ndingowana zvokudya.” ’ ” Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki-nzwiki, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji. Rimwe zuva usiku, Eri akanga akavata panzvimbo yake yamazuva ose, uye meso ake akanga oonera madzerere, asisagoni kuona zvakanaka. Mwenje waMwari wakanga usati wadzimwa, uye Samueri akanga akarara pasi mutemberi yaJehovha, maiva neareka yaMwari. Ipapo Jehovha akadana Samueri. Samueri akadavira achiti, “Ndiri pano.” Akamhanya kuna Eri akasvikoti, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Handina kukudana; dzokera unorara.” Saka akaenda akanorara. Jehovha akadana zvakare achiti, “Samueri!” Uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Mwanakomana wangu, handina kukudana; dzokera unorara.” Zvino Samueri akanga asati aziva Jehovha. Shoko raJehovha rakanga risati razarurirwa kwaari. Jehovha akadana Samueri kechitatu, uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaona kuti Jehovha akanga achidana mukomana uyu. Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’ ” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake. Jehovha akauya akamirapo, akadana sapanguva dzimwe dzose achiti, “Samueri! Samueri!” Ipapo Samueri akati, “Taurai, nokuti muranda wenyu akateerera.” Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndava kuda kuita chimwe chinhu muIsraeri chichaita kuti nzeve dzavose vanochinzwa dziunge. Panguva iyoyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake kubva kumavambo kusvika kumagumo. Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga mhuri yake nokusingaperi nokuda kwechivi chaaiziva pamusoro pacho, vanakomana vake vakazvigadzirira kutukwa asi iye haana kuvadzora. Naizvozvo ndakatsidza kuimba yaEri ndichiti, ‘Mhosva yeimba yaEri haingayananisirwi nechibayiro kana nechipo.’ ” Samueri akarara kusvika mangwanani uye akazozarura misuo yeimba yaJehovha. Akatya kuudza Eri chiratidzo chake, asi Eri akamudana akati, “Samueri, mwanakomana wangu.” Samueri akapindura akati, “Ndiri pano.” Eri akabvunza akati, “Wakaudzweiko naJehovha? Usandivanzira hako. Mwari ngaakurange zvakanyanya kana ukandivanzira kana chinhu chimwe zvacho chaakakuudza.” Saka Samueri akamuudza zvose, akasamuvanzira chinhu. Ipapo Eri akati, “NdiJehovha, regai aite zvaanoona zvakanaka.” Samueri akakura uye Jehovha aiva naye, uye iye haana kurega kunyange shoko rake rimwe chete richiwira pasi. Uye Israeri yose kubva kuDhani kusvika kuBheerishebha vakaziva kuti Samueri akanga asimbiswa somuprofita waJehovha. Jehovha akaramba achionekwa paShiro, uye ipapo akazviratidza kuna Samueri kubudikidza neshoko rake. Uye shoko raSamueri rakasvika kuIsraeri yose. Zvino vaIsraeri vakaenda kundorwa navaFiristia. VaIsraeri vakaungana paEbhenezeri, vaFiristia vakavaka misasa yavo paAfeki. VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia, vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira. Varwi pavakadzoka kumusasa, vakuru veIsraeri vakabvunza vakati, “Sei Jehovha aita kuti tikundwe nhasi pamberi pavaFiristia? Ngatitorei areka yesungano yaJehovha kubva kuShiro, kuti igoenda nesu uye igotiponesa kubva muruoko rwavavengi vedu.” Naizvozvo vanhu vakatuma varume kuShiro, uye vakadzosa areka yaJehovha Wamasimba Ose uye agere pachigaro choushe pakati pamakerubhi. Zvino vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vaivapo neareka yesungano yaMwari. Areka yesungano yaJehovha payakauya mumusasa, Israeri yose yakapururudza uye vakaita ruzha rukuru zvokuti pasi pakatinhira. Pavakanzwa mheremhere, vaFiristia vakabvunza vakati, “Mheremhere iri mumusasa wavaHebheru ndeyei?” Vakati vazvinzwa kuti areka yaJehovha yakanga yauya mumusasa, vaFiristia vakatya. Vakati, “Mwari asvika mumusasa. Tava munhamo! Hapana chinhu chakadai seichi chati chamboitika. Tine nhamo! Ndianiko achatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakarova vaIjipita namarudzi ose amatambudziko mugwenga. Simbai vaFiristia! Ivai varume, mukasadaro muchava varanda vavaHebheru sezvavakanga vakaita kwamuri. Ivai varume, uye murwe!” Saka vaFiristia vakarwa, vaIsraeri vakakundwa uye munhu wose akatiza achidzokera kutende rake. Pakava nokuurayiwa kukuru; Israeri yakarasikirwa navarwi vetsoka zviuru makumi matatu. Areka yaJehovha yakapambwa uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vakafa. Zuva rimwe chetero, mumwe murume weBhenjamini akamhanya achibva kuhondo akaenda kuShiro, nguo dzake dzakabvaruka uye ane guruva pamusoro wake. Paakasvikako, Eri akanga akagara pachigaro chake parutivi rwenzira, akangotarisa, nokuti mwoyo wake waityira areka yaJehovha. Murume uyu paakapinda muguta akataura zvakanga zvaitika, guta rose rakachema. Eri akanzwa kuchema akandobvunza achiti, “Mheremhere iyi yose ndeyeiko?” Murume uyu akachimbidza kuenda kuna Eri, akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namasere okuberekwa uye meso ava norutara zvokuti akanga asisaoni. Akati kuna Eri, “Ndiri kubva kuhondo izvozvi; ndatotizako nhasi chaiye.” Eri akabvunza akati, “Chiiko chaitika mwanakomana wangu?” Murume akauya neshoko akapindura achiti, “Israeri yatiza vaFiristia, uye hondo yarasikirwa zvikuru. Uyewo vanakomana venyu vaviri Hofini naFinehasi vafa, uye areka yaMwari yapambwa.” Paakataura nezveareka yaMwari, Eri akawa negotsi kubva pachigaro chake parutivi rwesuo. Mutsipa wake wakatyoka akabva afa nokuti aiva murume akanga akwegura uye ari mukobvu. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi mana. Muroora wake, mukadzi waFinehasi, akanga ane pamuviri ava pedyo nokuda kubatsirwa. Paakanzwa nhau idzi dzokuti areka yaJehovha yakanga yapambwa uye kuti vatezvara vake nomurume wake vakanga vafa, akarwadziwa napamuviri akabereka mwana, asi akakurirwa namarwadzo ake pakusununguka. Paakanga ava kufa madzimai aimubatsira akati, “Usaora mwoyo wabatsirwa nomwana mukomana.” Asi haana kumbopindura kana kuzviteerera. Akatumidza mukomana uyu kuti Ikabhodhi, achiti, “Kubwinya kwabva muIsraeri,” nokuda kwokutorwa kweareka yaMwari uye nokufa kwatezvara vake nomurume wake. Akati, “Kubwinya kwabva muIsraeri, nokuti areka yaMwari yapambwa.” Mushure mokunge vaFiristia vapamba areka yaMwari, vakaitora kubva kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshidhodhi. Ipapo vakatakura areka vakapinda nayo mutemberi yaDhagoni vakaiisa parutivi rwaDhagoni. Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwananingwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake. Asi mangwanani aitevera pavakamuka wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Musoro wake namaoko zvakanga zvadimbuka zvisisipo uye zviri pasi pachikumbaridzo chomukova, muviri wake bedzi ndiwo wakanga wangosara. Ndokusaka kusvika nanhasi kusina vaprista vaDhagoni kana vamwewo zvavo vanopinda mutemberi yaDhagoni paAshidhodhi vanotsika pachikumbaridzo chomukova. Ruoko rwaMwari rwakatambudza zvikuru vanhu veAshidhodhi nenzvimbo dzakaikomberedza; akauyisa kuparadzwa pamusoro pavo uye akavarova namamota. Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, “Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu.” Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakavabvunza vachiti, “Toitei neareka yaMwari weIsraeri?” Vakapindura vachiti, “Itai kuti areka yaMwari weIsraeri iendeswe kuGati.” Saka vakabvisa areka yaMwari weIsraeri. Asi mushure mokunge vaibvisa, ruoko rwaMwari rwakarwisana neguta iroro, uye akarivhundutsa nokuvhundutsa kukuru. Akarova vanhu veguta iroro, vakuru navadiki, namamota. Saka vakaendesa areka yaMwari kuEkironi. Areka yaMwari payakanga yava kupinda muEkironi, vanhu veEkironi vakadanidzira, vachiti, “Vauyisa areka yaMwari weIsraeri kuti vatiuraye isu navanhu vedu.” Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakati, “Dzoserai areka yaMwari weIsraeri kwakare, regai idzokere kunzvimbo kwayo, nokuti ichatiuraya isu navanhu vedu.” Nokuti rufu rwakanga rwazadza guta nokuvhunduka; ruoko rwaMwari rwakanga rwaritambudza zvikuru. Avo vasina kufa vakarohwa namamota uye kuchema kweguta kwakakwira kudenga. Areka yaJehovha yakati yava nemwedzi minomwe iri munyika yavaFiristia, vaFiristia vakadana vaprista navavuki vakati, “Toitei neareka yaJehovha? Tiudzei kuti toidzosera sei kunzvimbo yayo.” Vakapindura vachiti, “Kana muchidzosera areka yamwari weIsraeri, musaidzosera isina chinhu, asi edzai nepamunogona kumutumira chipiriso chemhosva. Ipapo muchaporeswa, uye muchaziva kuti sei ruoko rwake rusina kubviswa pamusoro penyu.” VaFiristia vakabvunza vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumutumira ndecheiko?” Vakapindura vachiti, “Mamota mashanu egoridhe nembeva shanu dzegoridhe, zvichienderana nouwandu hwavatongi vavaFiristia, nokuti nedenda rimwe chetero akakurovai imi navatongi venyu. Itai zviumbwa zvamamota nembeva dzacho, izvo zviri kuparadza nyika, uye mugopa kukudzwa kuna Mwari weIsraeri. Zvikada achasimudza ruoko rwake kubva pamuri napana vamwari venyu nenyika yenyu. Sei muchiomesa mwoyo yenyu sezvakaitwa navaIjipita naFaro? Paakavabata nehasha, havana kubudisa vaIsraeri here kuti vaende? “Naizvozvo torai mugadzirire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa uye dzisina kumbosungwa pajoko. Sungai mhou pangoro, asi torai mhuru dzadzo mugodzipfigira muchirugu. Torai areka yaJehovha mugoiisa pangoro, uye mubhokisi parutivi payo isai zviumbwa zvegoridhe zvamuri kutumirako kwaari sechipo chemhosva. Mugoituma iende, asi, murambe makaitarisa. Kana ikakwidza kuenda kunyika yayo, kwakadziva kuBhetishemeshi, zvoreva kuti Jehovha ndiye anenge auyisa njodzi pamusoro pedu. Asi kana ikarega, ipapo tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova uye kuti zvakangotiwirawo.” Saka vakaita izvi. Vakatora mhou mbiri dzakadai vakadzisungirira pangoro uye vakapfigira mhuru dzadzo muchirugu. Vakaisa areka yaJehovha pangoro pamwe chete nebhokisi rakanga rine mbeva dzegoridhe nezviumbwa zvamamota. Ipapo mhou dzakakwidza kuenda Bhetishemeshi, dzakati tande nenzira uye dzichikuma nzira yose; hadzina kutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Vatongi vavaFiristia vakadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi. Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachikohwa gorosi ravo mumupata, uye pavakasimudza misoro yavo vakaona areka, uye vakafara nokuiona. Ngoro yakauya kumunda waJoshua weBhetishemeshi uye ipapo yakamira parutivi rwedombo guru. Vanhu vakatematema mapuranga engoro uye vakabayira mhou idzi sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. VaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, pamwe chete nebhokisi raiva nezviumbwa zvegoridhe, vakazvigadzika padombo guru. Musi iwoyo vanhu veBhetishemeshi vakapa zvipiriso zvinopiswa vakabayira zvibayiro kuna Jehovha. Vatongi vashanu vavaFiristia vakaona zvose izvi vakadzokera kuEkironi musi iwoyo. Aya ndiwo mamota egoridhe akatumirwa navaFiristia sechipiriso chemhosva kuna Jehovha, rimwe kuAshidhodhi, rimwe kuGaza, rimwe kuAshikeroni, rimwe kuGati nerimwe kuEkironi. Uye uwandu hwembeva dzegoridhe hwaienderana nouwandu hwamaguta avaFiristia akanga ari avatongi vashanu, maguta aiva namasvingo nemisha yawo yomumaruwa. Dombo guru ravakagadzika areka yaJehovha, riripo nanhasi sechapupu mumunda waJoshua weBhetishemeshi. Asi Mwari akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, akauraya vanhu makumi manomwe vavo nokuti vakanga vadongorera mukati meareka yaJehovha. Vanhu vakachema nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru, uye varume veBhetishemeshi vakabvunza vachiti, “Ndiani angamira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene? Areka iyi ichaenda kuna ani ichibva pano?” Ipapo vakatumira nhume kuvanhu veKiriati Jearimi vachiti, “VaFiristia vadzosa areka yaJehovha. Dzikai kuno muzoitora kuti muende nayo kwenyu.” Saka varume veKiriati Jearimi vakauya vakatora areka yaJehovha. Vakaiendesa kuimba yaAbhinadhabhi pachikomo uye vakatsaura Ereazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha. Areka yakaramba iri paKiriati Jearimi kwenguva yakareba kwazvo, makore makumi maviri pamwe chete, uye vanhu vose veIsraeri vakachema uye vakatsvaka Jehovha. Ipapo Samueri akati kuimba yeIsraeri, “Kana muchidzokera kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, zvino chibvisai pakati penyu vamwari vavatorwa navaAshitoreti mugozvikumikidza kuna Jehovha uye mumushumire iye bedzi, uye achakudzikinurai kubva muruoko rwavaFiristia.” Saka vaIsraeri vakarasa vose vaBhaari vavo navaAshitoreti, vakashumira Jehovha chete. Ipapo Samueri akati, “Unganidzai Israeri yose paMizipa uye ndichakukumbirirai kuna Jehovha.” Vakati vaungana paMizipa, vakachera mvura vakaidururira pamberi paJehovha. Nomusi iwoyo vakatsanya ipapo vakareurura vachiti, “Takatadzira Jehovha.” Uye Samueri akava mutungamiriri weIsraeri yose paMizipa. VaFiristia vakati vanzwa kuti Israeri yakanga yaungana paMizipa, vatungamiri vavaFiristia vakauya kuzovarwisa. Zvino vaIsraeri vakati vazvinzwa, vakatya nokuda kwavaFiristia. Vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchidanidzira kuna Jehovha Mwari nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFiristia.” Ipapo Samueri akatora gwayana rainwa akaribayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. Akachema kuna Jehovha pamusoro peIsraeri, Jehovha akamupindura. Samueri paakanga achibayira chipiriso chinopiswa, vaFiristia vakaswedera pedyo kuti varwise Israeri. Asi zuva iroro Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamberi pavaFiristia akavavhundutsa zvokuti vakakundwa pamberi pavaIsraeri. Varume veIsraeri vakachimbidza kubuda muMizipa vakadzingirira vaFiristia, vakavauraya munzira kusvikira kunzvimbo iri zasi kweBhetikari. Ipapo Samueri akatora dombo akarimisa pakati peMizipa neSheni. Akaritumidza kuti Ebhenezeri akati, “Jehovha akatibatsira kusvikira pano.” Saka vaFiristia vakakurirwa uye havana kuzorwisa nyika yavaIsraeri zvakare. Uye ruoko rwaJehovha rwakarwa navaFiristia mazuva ose aSamueri. Maguta anobva kuEkironi kusvikira kuGati akanga apambwa navaFiristia kubva kuIsraeri akadzorerwa kwairi, uye Israeri yakasunungura rimwe dunhu rayo kubva muruoko rwavaFiristia. Uye pakazova norunyararo pakati peIsraeri navaAmori. Samueri akaramba ari mutongi weIsraeri kwoupenyu hwake hwose. Gore negore aitenderera kubva kuBheteri achienda kuGirigari nokuMizipa, achitonga Israeri munzvimbo dzose idzodzo. Asi aipota achidzokera kuRama, kwaiva nomusha wake, uye ikokowo akatonga Israeri. Uye akavakira Jehovha aritari ikoko. Samueri akati akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsraeri. Zita redangwe rake rainzi Joere uye zita rowechipiri rainzi Abhia, uye vaishanda vari paBheerishebha. Asi vanakomana vake vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakatambira fufuro, vakasaruramisira pakutonga. Saka vakuru vose veIsraeri vakaungana pamwe chete vakauya kuna Samueri paRama. Vakati kwaari, “Makwegura, uye vana venyu havafambi munzira dzenyu; naizvozvo gadzai mambo kuti atitungamirire, sezvakaita mamwe marudzi ose.” Asi pavakati, “Tipei mambo kuti atitungamirire,” izvi hazvina kufadza Samueri; saka akanyengetera kuna Jehovha. Uye Jehovha akamuudza kuti: “Teerera zvose zvinotaura vanhu kwauri; havana kuramba iwe, asi varamba ini samambo wavo. Sezvavakaita kubva pazuva randakavabuditsa muIjipiti kusvikira nhasi, vachindisiya uye vachishumira vamwe vamwari, ndizvo zvavari kuita nokwauri. Zvino, teerera zvavanotaura; asi uvayambire zvakasimba uye uvazivise zvichaitwa namambo achavatonga.” Samueri akataura mashoko ose aJehovha kuvanhu vakanga vachimukumbira mambo. Akati, “Izvi ndizvo zvichaitwa neachakutongai: Achatora vanakomana venyu agoita kuti vashande nengoro dzake dzehondo namabhiza, uye vachamhanya vari mberi kwengoro dzake. Vamwe vavo achavaita vatungamiri vezviuru navatungamiri vamakumi mashanu, uye achaita kuti vamwe varime minda yake pamwe chete nokuikohwa, uye achaita kuti vamwe vagadzire zvombo zvehondo nemidziyo yengoro dzake. Achatora vanasikana venyu kuti vave vagadziri vamafuta anonhuhwira navabiki vezvokudya navabiki vechingwa. Achatora minda yenyu yakaisvonaka neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi agozvipa kuvatariri vake. Achatora chegumi chembeu dzenyu namazambiringa enyu agozvipa kumachinda ake nevanomushandira. Varandarume venyu navarandakadzi venyu nemombe dzenyu dzakaisvonaka nembongoro achazvitora kuti azvishandise pamabasa ake. Achatora chegumi chamakwai enyu, uye imi pachenyu muchava nhapwa dzake. Zuva iroro parichasvika muchachema kwazvo nokuda kwamambo iyeye wamazvisarudzira, uye Jehovha haazokupindurai pazuva iroro.” Asi vanhu vakaramba kuteerera Samueri. Vakati, “Kwete! Tinoda mambo kuti atitonge. Ipapo tichava sedzimwe nyika dzose, tiina mambo anotitungamirira nokutiendera pamberi achitirwira hondo dzedu.” Samueri akati anzwa zvose zvakanga zvataurwa navanhu, akandozvitaura zvakare pamberi paJehovha. Jehovha akapindura achiti, “Vateerere uye uvape mambo.” Ipapo Samueri akati kuvarume veIsraeri, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rake.” Kwakanga kuno murume worudzi rwaBhenjamini, ainzi Kishi mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia muBhenjamini, murume wesimba noumhare. Aiva nomwanakomana ainzi Sauro, jaya raiyemurika rakanga risina akaenzana naro pakati pavaIsraeri, akanga akareba kupfuura vose. Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarasika, Kishi akati kuna Sauro mwanakomana wake, “Tora mumwe wavaranda uende naye kundotsvaga mbongoro.” Saka akapfuura nomunyika yamakomo yeEfuremu, akapfuurawo nomunzvimbo yakapoteredza Sharisha, asi havana kudziwana. Vakapfuurira mberi nomudunhu reSharimu, asi mbongoro dzakanga dzisiko. Ipapo akapfuura nomunyika yaBhenjamini, asi havana kudziwana. Pavakasvika mudunhu reZufi, Sauro akati kumuranda waaiva naye, “Uya tidzokere, zvimwe baba vangu vangarega kufunga nezvembongoro vakatanga kufunganya pamusoro pedu.” Asi muranda akapindura achiti, “Tarirai muguta rino mune munhu waMwari; anoremekedzwa zvikuru uye zvinhu zvose zvaanotaura zvinoitika. Handei ikoko iye zvino. Zvichida achatiudza nzira yokuenda nayo.” Sauro akati kumuranda, “Kana tikaenda, murume uyu tingandomupei? Zvokudya zviri mumasaga edu zvapera. Hatina chipo chokundopa munhu waMwari. Chii chatinacho?” Muranda akamupindura zvakare achiti, “Tarirai, ndine chikamu chimwe chete muzvina cheshekeria resirivha. Ndichachipa kumunhu waMwari kuti agotiudza nzira yokuenda nayo.” Kare munyika yeIsraeri, kana munhu achienda kundobvunza Mwari, aiti, “Handei kumuoni,” nokuti muprofita wanhasi ainzi muoni. Sauro akati kumuranda wake, “Zvakanaka, uya tiende.” Saka vakasimuka vakananga kuguta kwaiva nomunhu waMwari. Pavaikwira gomo kuenda kuguta iri, vakasangana navasikana vaienda kundochera mvura, vakavabvunza vachiti, “Muoni aripo here?” Vakapindura vachiti, “Aripo. Ari mberi kwenyu. Kurumidzai achangosvika iye zvino muguta redu, nokuti vanhu vane chibayiro panzvimbo yakakwirira. Muchingopinda muguta muchamuwana asati aenda kunzvimbo yakakwirira kundodya. Vanhu havatangi kudya asati auya, nokuti anofanira kuropafadza chibayiro; mushure maizvozvo, avo vanenge vakakokwa vozodya. Endai iye zvino; munofanira kumuwana nguva idzo dzino.” Vakakwira kuguta, uye pavakanga vava kupindamo vakaona Samueri achiuya nokwavakanga vari, ari munzira yake achikwidza kunzvimbo yakakwirira. Nezuro wacho Sauro asati asvika, Jehovha akanga aratidza izvi kuna Samueri: “Nenguva inenge ino mangwana ndichakutumira mumwe anobva kunyika yaBhenjamini. Muzodze kuti ave mambo pamusoro pavanhu vangu veIsraeri; achanunura vanhu vangu kubva muruoko rwavaFiristia. Ndatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwasvika kwandiri.” Samueri paakangoona Sauro, Jehovha akati kwaari, “Uyu ndiye murume wandakataura newe pamusoro pake; achatonga vanhu vangu.” Sauro akaenda kuna Samueri pasuo akamubvunza achiti, “Mungandiudzewo here kune imba yomuoni?” Samueri akapindura akati, “Ndini muoni. Chitungamira mberi kwangu kunzvimbo yakakwirira, nokuti nhasi unofanira kudya neni, mangwanani ndichakurega uchienda uye ndichakuudza zvose zviri mumweya mako. Kana zviri zvembongoro dzawakarasa mazuva matatu apfuura, usafunganya pamusoro padzo, dzakawanikwa. Zvino zvido zvose zveIsraeri zvatarira kuna ani kana kusiri kwauri iwe nemhuri yose yababa vako?” Sauro akapindura achiti, “Ko, handisi muBhenjamini, worudzi rudiki pane mamwe ose aIsraeri here, uye mhuri yangu haisi diki here pamhuri dzose dzaBhenjamini? Sei muchitaura chinhu chakadaro kwandiri?” Ipapo Samueri akatora Sauro nomuranda wake akapinda navo mumba yokudyira akavagadzika kumusoro kwaavo vakanga vakokwa, vaisvika makumi matatu. Samueri akati kumubiki, “Uya nechidimu chenyama chandakakupa, chiya chandakuudza kuti uise parutivi.” Naizvozvo mubiki akatora gumbo nezvaiva pariri akazvigadzika pamberi paSauro. Samueri akati, “Hezvi zvawakanga wachengeterwa. Idya, nokuti zvanga zvakachengeterwa iwe panguva ino, kubvira panguva yandakati, ‘Ndakoka vanhu.’ ” Zvino Sauro akadya naSamueri musi iwoyo. Mushure mokunge vadzika kubva kunzvimbo yakakwirira vakaenda kuguta, Samueri akataura naSauro ari pamusoro pedenga reimba yake. Vakamuka zuva richangobuda Samueri akadana Sauro ari padenga pemba akati, “Gadzirira ndigokurega uende hako.” Sauro akati agadzirira iye naSamueri vakabuda panze pamwe chete. Pavakanga vachienda kumucheto weguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda kuti atungamire mberi kwedu,” muranda akaita saizvozvo, “Asi iwe chimbogara pano kwechinguva, kuti ndigokupa shoko rabva kuna Mwari.” Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadurura pamusoro waSauro akamutsvoda uye akati, “Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiri wenhaka yake? Pauchabva pandiri nhasi, uchasangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri, paZeriza pamuganhu waBhenjamini. Vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakaenda kundotsvaga dzakawanikwa. Zvino baba vako havachafungi nezvadzo asi vava kufunganya pamusoro pako. Vava kungobvunza vachiti, “Ndichaiteiko nezvomwanakomana wangu?”’ “Ipapo uchapfuurira mberi kubva ipapo kusvikira wasvika pamuti mukuru weTabhori. Varume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBheteri vachasangana newe ipapo. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe marofu matatu echingwa, uye mumwe dende rewaini. Vachakukwazisa vagokupa marofu maviri echingwa, auchatambira kubva kwavari. “Mushure maizvozvo uchaenda kuGomo raMwari, kune boka ravarwi vavaFiristia. Pamunenge mava kusvika kuguta iri, muchasangana nedungwe ravaprofita vachidzika kubva kunzvimbo yakakwirira, mitengeranwa, tambureni, nenyere nembira, zvichiridzwa mberi kwavo, uye vanenge vachiprofita. Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba uye uchaprofita pamwe chete navo, uye uchashandurwa ugova mumwe munhu. Kana zviratidzo izvi zvangozadziswa, ita chinhu chipi nechipi chinowanikwa noruoko rwako kuti ruite, nokuti Mwari anewe. “Tungamira mberi kwangu udzike kuGirigari. Zvirokwazvo ndichauya kwauri kuti ndizobayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, asi unofanira kundimirira kwamazuva manomwe kusvikira ndauya kwauri ndigokuudza zvaunofanira kuita.” Sauro akati achangotendeuka kuti abve pana Samueri, Mwari akashandura mwoyo waSauro, uye zviratidzo zvose izvi zvakazadziswa zuva iroro. Pavakasvika kuGibhea, akasangana neboka ravaprofita; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, uye akabatana navo mukuprofita kwavo. Vose vakanga vachimuziva kare vakati vamuona achiprofita pamwe chete navaprofita, vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi chaitika kumwanakomana waKishi? Sauro ava pakati pavaprofitawo here?” Mumwe murume aigarako akapindura achiti, “Zvino baba vavo ndiani?” Saka chakava chirevo chokuti, “Sauro ava pakati pavaprofitawo here?” Mushure mokunge Sauro apedza kuprofita, akaenda kunzvimbo yakakwirira. Zvino babamunini vaSauro vakamubvunza iye nomuranda wake vachiti, “Makanga muripiko?” Akati, “Takanga tichitsvaga mbongoro. Asi patakaona kuti hadzisi kuzowanikwa takaenda kuna Samueri.” Babamunini vaSauro vakati, “Ndiudzei kuti Samueri akati kudii kwamuri.” Sauro akapindura achiti, “Akatiudza pachena kuti mbongoro dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kuudza babamunini vake nezvoumambo zvakanga zvataurwa naSamueri. Samueri akadana vanhu veIsraeri kuna Jehovha paMizipa akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsraeri, ‘Ndakabudisa Israeri muIjipiti, uye ndakakudzikinurai kubva kusimba reIjipiti noumambo hwose hwaikudzvinyirirai.’ Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.” Samueri paakauyisa marudzi eIsraeri pedyo, rudzi rwaBhenjamini rwakasarudzwa. Ipapo akauyisa mberi rudzi rwaBhenjamini, imba neimba, uye imba yaMatiri yakasarudzwa. Pakupedzisira, Sauro mwanakomana waKishi akasarudzwa. Asi pavakamutsvaka haana kuwanikwa. Saka vakabvunzazve Jehovha, vachiti, “Murume uyu ati auya pano here?” Zvino Jehovha akati, “Hongu, ahwanda pakati penhumbi.” Vakamhanya vakamuburitsa, uye paakamira pakati pavanhu, akanga akareba kupfuura vamwe vose kubva pamafudzi kusvika kumusoro. Samueri akati kuvanhu vose, “Muri kumuona here munhu asarudzwa naJehovha? Hapana mumwe munhu akaita saye pakati pavanhu vose.” Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame nokusingaperi!” Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake. Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhea, achiperekedzwa navarume voumhare vane mweya yakanga yabatwa naMwari. Asi dzimwe nhubu dzakati, “Murume uyu angatiponesa sei?” Vakamuzvidza vakasamuvigira zvipo. Asi Sauro akaramba anyerere. Nahashi muAmoni akakwidza akaenda kundorwisa Jabheshi Gireadhi. Zvino varume vose veJabheshi vakati kwaari, “Ita chibvumirano nesu tigova pasi pako.” Asi Nahashi muAmoni akapindura achiti, “Ndichaita chibvumirano nemi bedzi kana ndabvisa ziso rokurudyi romumwe nomumwe wenyu mose saizvozvo ndigonyadzisa Israeri yose.” Vakuru veJabheshi vakati kwaari, “Tipe mazuva manomwe kuti tigotuma nhume muIsraeri yose; kana pashaya mumwe chete anouya kuzotinunura, tichazvipa kwamuri.” Nhume padzakauya kuGibhea yaSauro vakaudza vanhu zvisungo izvi vose vakachema zvikuru. Panguva iyoyo Sauro akanga achibva kuminda, ari shure kwehando dzake, akabvunza achiti, “Vanhu vaita sei? Vari kuchemeiko?” Ipapo vakarondedzerazve zvakanga zvataurwa navarume veJabheshi. Sauro paakanzwa mashoko aya, mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akatsva nehasha. Akatora hando mbiri, akadzicheka-cheka, akatumidzira zvidimbu izvi nenhume muIsraeri yose, namashoko okuti, “Izvi ndizvo zvichaitwa kuhando dzaani naani asingateveri Sauro naSamueri.” Ipapo kutya kwaMwari kwakawira pamusoro pavanhu, uye vakauya somunhu mumwe chete. Sauro paakavaunganidza paBhezeki, varume veIsraeri vaisvika mazana matatu ezviuru uye varume veJudha zviuru makumi matatu. Vakaudza nhume dzakanga dzauya kuti, “Muti kuvarume veJabheshi Gireadhi, ‘Mangwana kana zuva ropisa muchanunurwa.’ ” Nhume padzakaenda dzikandotaura izvi kuvarume veJabheshi, vakafara kwazvo. Vakati kuvaAmoni, “Mangwana tichazvipira kwamuri, uye muchaita kwatiri zvose zvinenge zvakakunakirai.” Zuva raitevera, Sauro akaisa vanhu vake muzvikwata zvitatu; panguva yemambakwedza vakapinda mumusasa wavaAmoni vakavauraya kusvikira zuva ropisa. Vakararama vakapararira, zvokuti hapana vaviri vavo vakasara vari pamwe chete. Ipapo vanhu vakati kuna Samueri, “Ndiani akabvunza achiti, ‘Sauro achatitonga here?’ Uyai navarume ava kwatiri tivauraye.” Asi Sauro akati, “Hapana munhu achaurayiwa nhasi, nokuti nhasi Jehovha anunura Israeri.” Zvino Samueri akati kuvanhu, “Uyai tiende kuGirigari tindosimbisa umambo ikoko.” Saka vanhu vose vakaenda kuGirigari vakasimbisa Sauro samambo pamberi paJehovha. Ipapo vakabayira zvipo zvokuwadzana pamberi paJehovha, uye Sauro navaIsraeri vose vakava nokupemberera kukuru. Samueri akati kuvaIsraeri vose, “Ndakateerera zvose zvamakataura kwandiri ndikagadza mambo pamusoro penyu. Zvino mava namambo somutungamiri wenyu. Kana ndiri ini, ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vanemi pano. Ndakava mutungamiri wenyu kubvira paudiki hwangu kusvikira zuva ranhasi. Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.” Vakapindura vachiti, “Hamuna kutinyengera kana kutidzvinyirira. Hamuna kutora kana chinhu kubva muruoko rwomunhu.” Samueri akati kwavari, “Jehovha ndiye chapupu chinokupomerai, uye muzodziwa wake ndiye chapupu zuva ranhasi, kuti hamuna kuwana kana chinhu muruoko rwangu.” Vakati, “Ndiye chapupu.” Ipapo Samueri akati kuvanhu, “Jehovha ndiye akasarudza Mozisi naAroni akabuditsa madzitateguru enyu kubva muIjipiti. Naizvozvo zvino chimbomirai nditaure nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imi namadzibaba enyu. “Mushure mokunge Jakobho aenda muIjipiti, vakachema kuna Jehovha kuti vabatsirwe, uye Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti vakavagarisa munzvimbo ino. “Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo; naizvozvo akavatengesa kuna Sisera, mutungamiri wehondo yaHazori, uye nokumaoko avaFiristia namambo weMoabhu, uyo akavarwisa. Vakachema zvikuru kuna Jehovha vachiti, ‘Takatadza; takasiya Jehovha tikashandira vanaBhaari navaAshitoreti. Asi iye zvino tinunurei kubva mumaoko avavengi vedu, tigokushumirai.’ Ipapo Jehovha akatuma Jerubhi Bhaari, Bharaki, Jefuta naSamueri, uye akakununurai kubva mumaoko avavengi venyu kumativi ose, mukagara zvakanaka. “Asi pamakaona kuti Nahashi mambo wavaAmoni akanga achiuya kuzokurwisai, makati kwandiri, ‘Kwete, tinoda kuti tive namambo anotitonga,’ kunyange zvazvo Jehovha Mwari wenyu akanga ari mambo wenyu. Zvino hoyu mambo wamasarudza, uyo wamakakumbira; tarirai, Jehovha agadza mambo pamusoro penyu. Kana mukatya Jehovha uye mukamushandira nokumuteerera uye mukasamukira mirayiro yake, uye kana imi namambo anotonga pamusoro penyu mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvichava zvakanaka! Asi kana mukasateerera Jehovha, uye kana mukamukira mirayiro yake, ruoko rwake rucharwa nemi, sokurwa kwarwakaita namadzibaba enyu. “Naizvozvo zvino, rambai mumire muone chinhu chikuru ichi chava kuda kuitwa naJehovha pamberi penyu! Haisi nguva yokukohwa gorosi here ino? Ndichadana kuna Jehovha kuti atume kutinhira nemvura. Uye muchaona kuti chinhu chakashata sei chamakaita pamberi paJehovha pamakakumbira kuti mupiwe mambo.” Ipapo Samueri akadana kuna Jehovha uye, nomusi iwoyo, Jehovha akatuma kutinhira nemvura, nokudaro vanhu vose vakamira vakatya Jehovha naSamueri. Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Nyengetererai varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu kuti tirege kufa, nokuti pamusoro pezvimwe zvivi zvedu takawedzera chivi chokukumbira mambo.” Samueri akapindura achiti, “Musatya. Makaita zvose zvakaipa izvi; asi musatsauka kubva kuna Jehovha, asi shumirai Jehovha nomwoyo wenyu wose. Musatsaukira kuzvifananidzo zvisina maturo. Hazvina chakanaka chazvingakuitirai, kana kukununurai, nokuti hazvina maturo. Nokuda kwezita rake guru Jehovha haazorambi vanhu vake nokuti Jehovha akafadzwa kuti akuitei vake. Kana ndiri ini, ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai. Uye ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama. Asi ityai Jehovha, mumushumire iye nokutendeka, nomwoyo wenyu wose; rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, imi namambo wenyu muchaparadzwa.” Sauro akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga Israeri kwamakore makumi mana namaviri. Sauro akasarudza varume vaIsraeri zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaiva naye paMikimashi nomunyika yamakomo yeBheteri, uye chiuru chimwe chete chaiva naJonatani paGibhea muBhenjamini. Vamwe vose akavadzosa kumisha yavo. Jonatani akarwisa boka ravarwi vavaFiristia vakanga vari paGebha, vaFiristia vakazvinzwa. Uye Sauro akaridza hwamanda munyika yose akati, “VaHebheru, inzwai!” Uye Israeri yose yakanzwa nhau idzi dzokuti, “Sauro arwisa boka ravaFiristia, Israeri yava chinhu chinonyangadza pamberi pavaFiristia.” Zvino vanhu vakadanwa kuti vandobatana pamwe chete naSauro paGirigari. VaFiristia vakaungana kuti varwise Israeri, vane zviuru zvitatu zvengoro, nezviuru zvitatu zvavachairi vengoro, navarwi vakawanda sejecha remhenderekedzo dzegungwa. Vakaenda vakandodzika misasa paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiavheni. Varume veIsraeri vakati vaona kuti zvinhu zvaipa uye kuti hondo yavo yakanga yamanikidzwa zvikuru, vakavanda mumapako nomumatenhere, pakati pamatombo, nomumakomba nomumigodhi yemvura. Vamwe vaHebheru vakatoyambuka Jorodhani vakaenda kunyika yeGadhi neGireadhi. Sauro akasara paGireadhi uye varwi vose vaaiva navo vakadedera nokutya. Akamira kwamazuva manomwe, nguva yakanga yatarwa naSamueri; asi Samueri haana kuuya kuGirigari, uye varwi vaSauro vakatanga kupararira. Saka akati, “Ndiunzirei chipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Ipapo Sauro akapa chipiriso chinopiswa. Achingopedza kupa chipiriso, Samueri akasvika, uye Sauro akaenda kundomukwazisa. Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akapindura achiti, “Pandaona kuti hamuna kusvika nenguva yakataurwa, uye kuti vaFiristia vava kuungana paMikimashi, ndafunga kuti, ‘Zvino vaFiristia vachauya kuzondirwisa paGirigari, uye handisati ndatsvaka nyasha dzaJehovha.’ Naizvozvo ndazvimanikidza kuti ndipe chipiriso chinopiswa.” Samueri akati, “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako; dai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pamusoro peIsraeri kwenguva yose. Asi iye zvino umambo hwako hahuchagari; Jehovha azvitsvakira munhu anofadza mwoyo wake, akamugadza kuti ave mutungamiri wavanhu vake, nokuti hauna kuchengeta murayiro waJehovha.” Uye Samueri akabva paGirigari akakwidza akaenda kuGibhea muBhenjamini, uye Sauro akaverenga varume vaakanga anavo. Vaikarosvika mazana matanhatu. Sauro nomwanakomana wake Jonatani navarume vaakanga anavo, vaigara muGibhea muBhenjamini, asi vaFiristia vakanga vakadzika misasa paMikimashi. Vapambi vakabuda mumisasa yavaFiristia vari mumapoka matatu. Rimwe boka rakananga kuOfira munharaunda yeShuari, rimwe boka rakananga kuBhetihoroni, uye rechitatu rakananga kumuganhu wakatarisana noMupata weZebhoimi kurutivi rwerenje. Zvino kwakanga kusina mupfuri munyika yeIsraeri nokuti vaFiristia vakanga vati, “Zvichida vaHebheru vangagadzira minondo kana mapfumo!” Naizvozvo vaIsraeri vose vakadzika kuvaFiristia kuti vandorodzerwa miromo yamagejo, mapiki, matemo namajeko. Muripo wokurodzesa miromo yamagejo, namapiki, waiva zvikamu zviviri kubva muzvitatu zveshekeria, uye muripo wokurodzesa forogo namatemo, nezvibayiso zvemombe waiva chetatu cheshekerib. Saka pazuva rokurwa hapana murwi waSauro naJonatani aiva nomunondo kana pfumo muruoko rwake; Sauro chete nomwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nazvo. Zvino boka ravarwi ravaFiristia rakanga rabuda richienda kumupata weMikimashi. Rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiende kumusasa wavarwi vevaFiristia kudivi rimwe iro.” Asi haana kuudza baba vake. Sauro aigara nechokumucheto kweGibhea pasi pomuti womutamba muMigironi. Aiva navarume vanokarosvika mazana matanhatu, pakati pavo pana Ahiya, akanga akapfeka efodhi. Akanga ari mwanakomana womukoma waIkabhodhi, Ahitubhi, mwanakomana waFinehasi, mwanakomana waEri, muprista waJehovha muShiro. Hapana akaziva kuti Jonatani akanga aenda. Kumativi ose omupata waida kuyambukwa naJonatani kuti asvike pamusasa wavaFiristia, kwaiva neshongwe yebwe; imwe yainzi Bhozezi imwe ichinzi Sene. Imwe shongwe yaiva nechokumusoro kwakadziva kuMikimashi, imwe iri zasi kwakadziva kuGebha. Jonatani akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiyambuke tiende kumusasa wavasina kudzingiswa avo. Zvichida Jehovha achatirwira. Hapana chinodzivisa Jehovha kuti aponese, navakawanda kana navashoma.” Mutakuri wezvombo akati, “Itai zvose zvamafunga. Endai mberi; ndinemi pamweya napamwoyo.” Jonatani akati, “Uya tiyambuke zvino tinange kuvarume ava uye tigorega vatione. Kana vakati kwatiri, ‘Mirai ipapo kusvikira tauya kwamuri,’ ticharamba tiri patiri ipapo uye hatizokwiri kwavari. Asi kana vakati, ‘Uyai kuno kwatiri,’ tichakwira, nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Jehovha avaisa mumaoko edu.” Saka vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi ravaFiristia. VaFiristia vakati, “Tarirai! VaHebheru vari kukambaira vachibuda mumakomba avanga vakavanda.” Varume veboka ravarwi vakadanidzira kuna Jonatani nomubati wake nenhumbi dzokurwa vakati, “Kwirai kuno kwatiri tigokudzidzisai chidzidzo.” Saka Jonatani akati kumubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo, “Kwira unditevere; Jehovha avaisa mumaoko avaIsraeri.” Jonatani akakwira achikambaira namaoko namakumbo ake, uye mubati wenhumbi dzake dzokurwa ari mumashure make. VaFiristia vakati rakata rakata kuwa pamberi paJonatani, uye mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatevera achiuraya mumashure make. Pakurwisa kwokutanga, Jonatani nomubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri panzvimbo inenge hafu yeeka. Ipapo kutya kwakabata varwi vose, vakanga vari mumusasa nomuminda, navose vakanga vari mumapoka avarwi navapambi, uye pasi pakadengenyeka. Kwakanga kuri kuvhundutswa kwakanga kwatumwa naMwari. Nharirire dzaSauro paGibhea muBhenjamini dzakaona varwi vachinyungudika kumativi ose. Ipapo Sauro akati kuvarume vakanga vanaye, “Verengai varwi muone kuti ndivanaani vasipo pakati pedu.” Vakati vadaro vakaona kuti Jonatani nomubati wake wenhumbi dzokurwa vakanga vasipo. Sauro akati kuna Ahiya, “Uya neareka yaMwari.” (Panguva iyoyo vaIsraeri ndivo vakanga vanayo.) Sauro achiri kutaura nomuprista, mhirizhonga yakanyanyisa mumusasa wavaFiristia. Saka Sauro akati kumuprista, “Dzosa ruoko rwako.” Ipapo Sauro navanhu vake vose vakaungana vakaenda kundorwa. Vakawana vaFiristia vari mumhirizhonga huru, vachibayana mumwe nomumwe neminondo yavo. VaHebheru vaya vakanga vari kuvaFiristia kare uye vakanga vaenda navo kumusasa wavo vakayambuka vakaenda kuvaIsraeri vakanga vana Sauro naJonatani. VaIsraeri vaya vose vakanga vavanda munyika yezvikomo yeEfuremu pavakanzwa kuti vaFiristia vakanga votiza, vakateverawo muhondo vakavadzingirira zvikuru. Saka Jehovha akarwira vaIsraeri pazuva iro, uye hondo yakaenderera mberi ikandopfuura Bhetiavheni. Zvino varume veIsraeri vakaziya pazuva iro, nokuti Sauro akanga asunga vanhu nemhiko achiti, “Ngaatukwe munhu anodya zvokudya kusati kwadoka, ndisati ndazvitsivira vavengi vangu!” Saka hakuna munhu pavarwi akaravira chokudya. Hondo yose yakapinda musango, uye imomo maiva nouchi hwapasi. Vakati vapinda musango, vakaona uchi huchiyerera, asi hakuna akaisa ruoko rwake kumuromo wake, nokuti vakanga vachitya mhiko. Asi Jonatani akanga asina kunzwa kuti baba vake vakanga vasunga vanhu nemhiko, saka akatambanudza muromo wetsvimbo yakanga iri muruoko rwake akainyika muzinga rouchi. Akasimudzira ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akabengenuka. Ipapo mumwe wavarwi akati kwaari, “Baba vako vasunga varwi nemhiko vachiti, ‘Ngaatukwe munhu upi zvake anodya zvokudya nhasi!’ Ndokusaka vanhu voziya.” Jonatani akati, “Baba vangu vanetsa nyika. Tarirai muone kuzaruka kwaita meso angu pandaravira chidimbu chouchi uhu. Zvaiva nani sei dai vanhu vanga vadya nhasi zvimwe zvezvakapambwa zvavakatora kuvavengi vavo. Kuurayiwa kwavaFiristia hakwaizova kukuru here?” Musi iwoyo, shure kwokunge vaIsraeri vauraya vaFiristia kubva paMikimashi kusvika kuAijaroni, vakaneta kwazvo. Vakamhanyira zvakapambwa, uye vakatora makwai, mombe nemhuru, vakazviuraya pasi ipapo uye vakazvidya, pamwe chete neropa razvo. Ipapo mumwe akati kuna Sauro, “Tarirai vanhu vari kutadzira Jehovha nokudya nyama ine ropa.” Iye akati, “Maputsa kutenda. Kungurutsirai dombo guru kuno uku izvozvi.” Ipapo akati, “Endai pakati pavanhu mugovataurira kuti, ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaauye nemombe yake, namakwai uye muzviurayire pano muzvidye. Musatadzira Jehovha muchidya nyama ichine ropa rayo.’ ” Saka munhu wose akauya nenzombe yake usiku ihwohwo akaiuraya ipapo. Ipapo Sauro akavakira Jehovha aritari; yakanga iri nguva yake yokutanga kuita izvi. Sauro akati, “Ngatiburukei zasi titevere vaFiristia usiku tindovapamba kusvikira mambakwedza, uye tirege kusiya kana mumwe wavo ari mupenyu.” Ivo vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.” Asi muprista akati, “Ngatibvunzei Mwari pano.” Saka Sauro akabvunza Mwari akati, “Ndoburuka nditevere vaFiristia here? Muchavaisa mumaoko avaIsraeri here?” Asi Mwari haana kumupindura musi iwoyo. Naizvozvo Sauro akati, “Uyai pano, imi mose vatungamiri vehondo, Ngatitsvakei chivi chaitwa nhasi. Zvirokwazvo naJehovha, iye akanunura upenyu hwavaIsraeri, kunyange dai ari Jonatani mwanakomana wangu, anofanira kufa.” Asi hapana kana mumwe wavarume akataura shoko. Ipapo Sauro akati kuvaIsraeri vose, “Imi mirai uko; ini naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno uku.” Vanhu vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.” Ipapo Sauro akanyengetera kuna Jehovha, Mwari waIsraeri akati, “Ndipeiwo mhinduro yakarurama.” Ipapo Jonatani naSauro vakabatwa nomujenya, vanhu vakawanikwa vasina mhosva. Sauro akati, “Kandai mujenya pakati pangu nomwanakomana wangu Jonatani.” Ipapo Jonatani akabatwa. Ipapo Sauro akati kuna Jonatani, “Ndiudze zvawaita.” Saka Jonatani akati kwaari, “Ndangoravira uchi ushoma nomuromo wetsvimbo yangu. Zvino ndinofanira kufa here?” Sauro akati, “Mwari ngaandirove, ngaandirove kwazvo, kana iwe Jonatani ukasafa.” Asi vanhu vakati kuna Sauro, “Jonatani angafanira kufa, iye akaponesa vaIsraeri nokuponesa kukuru kuya? Kwete! Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, hakuna kana bvudzi romusoro wake richawira pasi, nokuti aita izvi nhasi achibatsirwa naMwari.” Saka vanhu vakanunura Jonatani, uye haana kuurayiwa. Ipapo Sauro akarega kutevera vaFiristia, ivo vakadzokera kunyika yavo. Shure kwokugadzwa kwaSauro ushe pamusoro pavaIsraeri, akarwa navavengi vavo kumativi ose, vaiti: Moabhu, vaAmoni, Edhomu, madzimambo eZobha, navaFiristia. Kwose kwaakatendeukira, akavatambudza. Akarwa noumhare akakunda vaAmereki, akadzikinura vaIsraeri kubva mumaoko avaya vakanga vavapamba. Vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, Ishivhi naMarikishuwa. Zita romwanasikana wake wedangwe rainzi Merabhi, uye romuduku rainzi Mikari. Zita romukadzi wake rainzi Ahinoami, mwanasikana waAhimaazi. Zita romutungamiri wehondo yaSauro rainzi Abhineri, mwanakomana waNeri, uye Neri akanga ari babamunini vaSauro. Kishi baba vaSauro naNeri baba vaAbhineri vakanga vari vanakomana vaAbhieri. Pamazuva ose aSauro pakanga pane hondo huru kwazvo navaFiristia, uye Sauro aiti kana akaona munhu ane simba uye akashinga, aimutora omuita murwi wake. Samueri akati kuna Sauro, “Ndini ndakatumwa naJehovha kuti ndizokuzodza kuti uve mambo pamusoro pavanhu vake ivo vaIsraeri; saka teerera zvino kushoko rinobva kuna Jehovha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndicharanga vaAmareki nokuda kwezvavakaita kuvaIsraeri pavakavadzivirira panzira panguva yavakabuda kubva kuIjipiti. Zvino chienda undorwisa vaAmareki uye uparadze zvachose zvinhu zvavo zvose. Usavarega vari vapenyu uuraye varume navakadzi, vana navacheche, mombe namakwai, ngamera nembongoro.’ ” Saka Sauro akadana vanhu akavaverenga paTeraimi, zviuru mazana maviri zvavarwi vetsoka uye varume vaibva kuJudha zviuru gumi. Sauro akaenda kuguta ravaAmareki akavavandira ari mumupata. Ipapo akati kuvaKeni, “Endai, ibvai kuvaAmareki kuti ndirege kukuparadzai pamwe chete navo; nokuti makaita mwoyo munyoro kuvaIsraeri vose panguva yavakabuda muIjipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki. Ipapo Sauro akarwisa vaAmareki kubva paHavhira kusvikira kuShuri, kumabvazuva eIjipiti. Akabata Agagi mambo wavaAmareki ari mupenyu, uye akaparadza chose vanhu vake vose nomunondo. Asi Sauro nehondo yake vakarega Agagi namakwai akanakisisa nemombe, mhuru dzakakora uye namakwayana, zvakanga zvakanaka zvose. Izvi havana kuda kuzviparadza zvachose, asi zvinhu zvose zvakanga zvichizvidzikana uye zvisina simba ndizvo zvavakaparadza zvachose. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri richiti, “Ndinozvidemba kuti ndakagadza Sauro kuti ave mambo, nokuti akatsauka kubva kwandiri uye haana kuita zvandakamurayira.” Samueri akatambudzika, akachema kuna Jehovha usiku hwose. Samueri akamuka mangwanani-ngwanani akaenda kuti andosangana naSauro, asi akaudzwa kuti, “Sauro aenda kuKarimeri. Ikoko azvivakira shongwe yokuzviremekedza, abvako akadzika kuGirigari.” Samueri akati asvika kwaari, Sauro akati, “Jehovha ngaakuropafadzei! Ndakaita zvandakarayirwa naJehovha.” Asi Samueri akati, “Ko, zvino kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu ndokwei? Kukuma kwemombe kwandinonzwa uku chiiko?” Sauro akapindura akati, “Varwi vakabva nadzo kuvaAmareki; vakasiya makwai akanakisisa nemombe kuti vabayire kuna Jehovha Mwari wenyu, asi zvimwe zvose takazviparadza chose.” Samueri akati kuna Sauro, “Mira! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naJehovha nezuro usiku.” Sauro akati, “Ndiudzei.” Samueri akati, “Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako kare, ko, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsraeri here? Jehovha akakuzodza kuti uve mambo wavaIsraeri. Uye akakutuma parwendo, akati, ‘Enda undoparadza zvachose vanhu vose vakaipa, ivo vaAmareki; uvarwise kusvikira vapera.’ Seiko usina kuteerera Jehovha? Wakamhanyirireiko kune zvakapambwa uchiita zvakaipa pamberi paJehovha?” Sauro akati, “Asi ndakateerera Jehovha. Ndakaenda parwendo rwandakatumwa naJehovha. Ndakaparadza vaAmareki zvachose ndikauya naAgagi mambo wavo. Varwi vakatora makwai nemombe zvakabva pane zvakapambwa, izvo zvakanakisisa zvavakatsaurira Mwari, kuitira kuti vagozvibayira kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.” Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda zvibayiro, uye kunzwa kunokunda mafuta amakondohwe. Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka, uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo. Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha, naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.” Ipapo Sauro akati kuna Samueri, “Ndatadza, ndamukira murayiro waJehovha nezvamakandirayira. Ndakanga ndichitya vanhu nokudaro ndakateerera mashoko avo. Zvino ndinokukumbirisai, ndikanganwirei chivi changu mugodzoka neni, kuti ndigononamata Jehovha.” Asi Samueri akati kwaari, “Handingadzoki newe. Wakaramba shoko raJehovha, saka Jehovha akuramba kuti uve mambo wavaIsraeri!” Samueri akati atendeuka kuti abve, Sauro akabata mupendero wenguo yake, ukabvaruka. Samueri akati kwaari, “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva kwauri nhasi uye ahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna iye ari nani panewe. Iye Kubwinya kwaIsraeri haangarevi nhema kana kushandura pfungwa dzake; nokuti haasi munhu, kuti angashandura pfungwa dzake.” Sauro akati, “Ndatadza hangu. Asi ndapota ndikudzei henyu pamberi pavakuru vavanhu vangu napamberi pavaIsraeri; dzokai neni kuitira kuti ndigononamata Jehovha Mwari wenyu.” Saka Samueri akadzokera naSauro, ipapo Sauro akanamata Jehovha. Zvino Samueri akati, “Uyai naAgagi mambo wavaAmareki kwandiri.” Agagi akauya kwaari akanyatsofara, achifunga kuti, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.” Asi Samueri akati, “Munondo wako sezvo wakaita kuti vakadzi vashaye vana, saizvozvo mai vako vachashayiwa mwana pakati pavakadzi.” Zvino Samueri akauraya Agagi pamberi paJehovha paGirigari. Ipapo Samueri akabva akaenda kuRama, asi Sauro akakwira akaenda kumba kwake paGibhea raSauro. Kusvikira pazuva rakafa Samueri, haana kuzomboenda kundoona Sauro, kunyange Samueri akamuchema hake. Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo wavaIsraeri. Jehovha akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchichema Sauro, sezvo ini ndakamuramba kuti asava mambo wavaIsraeri? Zadza gonamombe rako namafuta ugopinda munzira yako; ndiri kukutuma kuna Jese wokuBheterehema. Ndasarudza mumwe wavanakomana vake kuti ave mambo.” Asi Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Sauro achanzwa nezvazvo akandiuraya.” Jehovha akati, “Tora tsiru uende naro ugondoti, ‘Ndauya kuzobayira kuna Jehovha.’ Ukoke Jese kuti auye kuchibayiro, uye ini ndichakuratidza zvokuita. Unofanira kundizodzera uyo wandichakuratidza.” Samueri akaita zvakataurwa naJehovha. Akati asvika kuBheterehema, vakuru vomusha vakadedera pavakasangana naye. Vakamubvunza vakati, “Mauya norugare here?” Samueri akati, “Hongu, ndauya norugare; ndauya kuzobayira kuna Jehovha. Zvinatsei mugoenda neni kuchibayiro.” Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake akavakoka kuti vauye kuchibayiro. Vakati vasvika, Samueri akaona Eriabhi akafunga kuti, “Zvirokwazvo muzodziwa waJehovha ndiye amire pano pamberi paJehovha.” Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Rega kutarira chiso chake kana mumhu wake, nokuti ndamuramba. Jehovha haatarisi zvinhu zvinoonekwa navanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo.” Ipapo Jese akadana Abhinadhabhi akaita kuti apfuure napamberi paSamueri. Asi Samueri akati, “Jehovha haana kusarudza uyuwo.” Jese akaita kuti Shama apfuure napo, asi Samueri akati, “Nouyu haana kusarudzwa naJehovha.” Jese akaita kuti vanakomana vake vanomwe vapfuure napamberi paSamueri, asi Samueri akati kwaari, “Jehovha haana kusarudza ava.” Saka akabvunza Jese akati, “Ava ndivo vose vanakomana vaunavo here?” Jese akapindura akati, “Kuchino mumwe muduku kuna vose, asi ari kufudza makwai.” Samueri akati, “Tuma munhu kwaari; hatingagari pasi kusvikira asvika pano.” Saka akatuma munhu kuti andouya naye. Akanga ari mutsvuku, ane chiso chakaisvonaka nechimiro chakanaka. Ipapo Jehovha akati, “Simuka umuzodze, nokuti ndiyeyu.” Saka Samueri akatora gonamombe ramafuta akamuzodza pamberi pamadzikoma ake, uye kubva pazuva iroro Mweya waJehovha wakauya pamusoro paDhavhidhi nesimba. Ipapo Samueri akaenda kuRama. Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva pana Sauro, uye mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha ukamutambudza. Varanda vaSauro vakati kwaari, “Tarirai mweya wakaipa unobva kuna Mwari unokutambudzai. Ishe ngaarayire varanda vake vari pano kuti vatsvake mumwe munhu anogona kuridza mbira. Acharidza kana mweya wakaipa unobva kuna Mwari wauya pamusoro penyu, uye imi muchanzwa zviri nani.” Saka Sauro akati kuvaranda vake, “Tsvakai munhu anogona kuridza zvakanaka muuye naye kwandiri.” Mumwe wavaranda akapindura akati, “Ndaona mwanakomana waJese wokuBheterehema anoziva kuridza mbira. Murume asingatyi uye murwi. Anogona kutaura zvakanaka uye munhu akaisvonaka. Uye Jehovha anaye.” Ipapo Sauro akatuma nhume kuna Jese akati, “Nditumirewo mwanakomana wako Dhavidhi, uyo ari kumakwai.” Saka Jese akatora mbongoro akaitakudza chingwa, guchu rewaini nembudzana akazvitumira kuna Sauro naDhavhidhi mwanakomana wake. Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akapinda kundomushandira. Sauro akamuda kwazvo, uye Dhavhidhi akava mumwe wavatakuri venhumbi dzake dzokurwa. Ipapo Sauro akatuma shoko kuna Jese, achiti, “Tendera Dhavhidhi kuti andishandire, nokuti ndinofadzwa naye.” Mweya waibva kuna Mwari waiti wasvika pamusoro paSauro, Dhavhidhi aibva atora mbira dzake oridza. Ipapo Sauro aibva anzwa kusununguka; onzwa zviri nani uye mweya wakaipa wobva wamusiya. Zvino vaFiristia vakakoka varwi vavo kuti vazorwa hondo ndokubva vaungana paSoko muJudha. Vakadzika musasa paEfesi Dhamimi, pakati peSoko neAzeka. Sauro navaIsraeri vakaungana uye vakadzika musasa mumupata weEra vakatara mutaro wokurwa pavaizosangana navaFiristia. VaFiristia vakatora chimwe chikomo uye vaIsraeri vakatora chimwe, pakati pavo paine mupata. Shasha yainzi Goriati yaibva kuGati, yakabuda pakati pomusasa wavaFiristia. Akanga akareba makubhiti matanhatua. Akanga ane nguwani yendarira pamusoro wake uye akanga akafuka nguo dzokurwa dzamakwati endarira dzairema mashekeri zviuru zvishanub; pamakumbo ake akanga akapfeka zvidzitiro zvendarira, uye pfumo rendarira rakanga rakarembedzwa kumusana kwake. Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki, uye muromo waro wesimbi wakanga uchirema mashekeri mazana matanhatuc. Mutakuri wenhoo yake aifamba ari mberi kwake. Goriati akamira uye akadanidzira kuhondo dzavaIsraeri achiti, “Seiko mabuda kuti muzogadzirira kurwa? Ko, ini handizi muFiristia, uye imi hamuzi varanda vaSauro here? Sarudzai murume mugoita kuti aburuke kuno kwandiri. Kana achigona kurwa uye akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ndikamukunda ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu uye muchatishandira.” Ipapo muFiristia akati, “Nhasi ndiri kudenha hondo dzavaIsraeri! Ndipei murume kuti tirwe.” Sauro navaIsraeri vose vakati vachinzwa mashoko omuFiristia vakavhunduka uye vakatya. Zvino Dhavhidhi akanga ari mwanakomana womuEfurata ainzi Jese, uyo akanga achibva kuBheterehema reJudha. Jese akanga ana vanakomana vasere, uye pamazuva aSauro akanga ava mutana uye akwegura ava namakore mazhinji. Vanakomana vaJese vakuru vatatu vakanga vatevera Sauro kuhondo: Wokutanga akanga ari Eriabhi; wechipiri, Abhinadhabhi; uye wechitatu, Shama. Dhavhidhi ndiye akanga ari muduku kuna vose. Vakuru vatatu ava vakatevera Sauro, Asi Dhavhidhi aimbobva kuna Sauro achidzokera kundofudza makwai ababa vake kuBheterehema. Kwamazuva makumi mana, muFiristia aiuya pamberi mangwanani oga oga namadekwana omira. Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Chitora efad iyi yezviyo zvakakangwa nezvingwa izvi gumi ukurumidze kundopa madzikoma ako kumusasa wavo. Uendewo nezvidimbu izvi zvechizi kumukuru wechiuru. Uone kuti madzikoma ako akadini ugouya neshoko rinobva kwavari. Vari pamwe chete naSauro navarume vose veIsraeri muMupata weEra kwavari kurwa navaFiristia.” Mangwanani-ngwanani, Dhavhidhi akasiya boka ramakwai rino mufudzi, akarongedza akaenda, sezvaakanga arayirwa naJese. Akasvika pamusasa varwi pavakanga vobuda kuti vaende kunzvimbo dzavo dzokurwira, vachiita ruzha rwehondo, VaIsraeri navaFiristia vakanga vakamira pamitsetse yavo vakatarisana. Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake zvino mutariri wenhumbi, akamhanyira kwakanga kwakamira varwi, akakwazisa madzikoma ake. Paakanga achitaura navo, Goriati, muFiristia, shasha yaibva kuGati, akabuda kubva kumitsetse yokwake akadanidzira achimhura sezvaaisiita, uye Dhavhidhi akazvinzwa. VaIsraeri vakati vachiona murume uyu, vose vakamutiza vachitya zvikuru. Zvino vaIsraeri vakanga vachiti, “Muri kuona here murume uyu ari kuramba achibuda? Ari kubuda kunze kuzoshora vaIsraeri. Mambo achapa pfuma zhinji kumunhu anomuuraya. Achamupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake, uye achasunungura mhuri yababa vake kuti irege kuzobvisa mutero muIsraeri.” Dhavhidhi akabvunza varume vakanga vamire naye akati, “Munhu achauraya muFiristia uyu uye agobvisa chinyadzo ichi pavaIsraeri achaitirwei? Ndianiko muFiristia uyu asina kudzingiswa anoshora hondo dzaMwari mupenyu?” Vakadzokorora kwaari zviya zvavakanga vareva uye vakamuudza vakati, “Ndizvo zvichaitirwa munhu anomuuraya.” Eriabhi, mukoma mukuru waDhavhidhi, akati achimunzwa achitaura navarume vaya, a4 mamita angaita 3 b5 makirogiramu angaita 57 c7 makirogiramu angaita 7 d17 marita angaita 22 akamutsamwira zvikuru, akamubvunza akati, “Seiko iwe waburuka ukauya kuno? Ko, makwai mashoma aya waasiya naani kurenje? Ndinoziva manyawi ako nokuipa kwomwoyo wako; waburuka kuno kuti uzoona hondo chete.” Dhavhidhi akati, “Ko, zvino ndaita sei hangu? Ko, handingatongotauriwo here?” Ipapo akatendeukira kuno mumwezve akamubvunza shoko rimwe chetero, vanhu vakamupindurazve saizvozvo. Zvakataurwa naDhavhidhi zvakanzwikwa uye runyerekupe rukaziviswa kuna Sauro, uye Sauro akatuma munhu kundomudana. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuva nomunhu anoora mwoyo nokuda kwomuFiristia uyu; muranda wenyu achaenda kundorwa naye.” Sauro akamupindura akati, “Haungagoni kuenda kundorwa nomuFiristia uyu; iwe uchingori mukomana zvako, uye iye akagara ari munhu wokurwa kubva paujaya hwake.” Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu akanga achifudza makwai ababa vake. Shumba kana bere zvaiti zvikauya, zvikatakura hwai kubva paboka ramakwai, ndaitevera, ndigoiuraya ndigoponesa gwai kubva pamuromo wayo. Yakati ichitendeukira kwandiri, ndakaibata nemvere dzayo, ndikaibaya ndikaiuraya. Muranda wenyu akauraya zvose shumba nebere; muFiristia uyu asina kudzingiswa achafanana nechimwe chazvo, nokuti ashora hondo dzaMwari mupenyu. Jehovha akandirwira pagumbo reshumba nerebere, ndiye achandirwira muruoko rwomuFiristia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda, uye Jehovha ave newe.” Ipapo Sauro akashongedza Dhavhidhi nenguo dzake. Akamupfekedza jasi rokurwa uye nguwani yendarira pamusoro wake. Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo akaedza kufamba-famba nadzo akakonewa, nokuti akanga asina kudzizivira. Akati kuna Sauro, “Handingaendi ndakapfeka idzi, nokuti handina kudzijaira.” Saka akadzibvisa. Ipapo akabata tsvimbo yake muruoko rwake, akasarudza hurungudo shanu murukova, akadziisa munhava yake yomufudzi, uye ane chimviriri muruoko rwake, akaswedera kumuFiristia. Zvichakadaro, muFiristia, nomutakuri wenhoo yake mberi kwake, vakaramba vachiswedera pedyo naDhavhidhi. Akatarisa akaona kuti Dhavhidhi akanga ari mukomana zvake, mutsvuku, akanaka, uye akamuzvidza. Akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo?” Uye navamwari vake, muFiristia akatuka Dhavhidhi. Akati, “Uya kuno ndigopa nyama yako kushiri dzedenga nokumhuka dzesango!” Dhavhidhi akati kumuFiristia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo uye nepfumo guru, asi ini ndinouya kwauri muzita raJehovha Wamasimba Ose, Mwari wehondo dzavaIsraeri, uyo waunozvidza. Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu, uye ndichakuuraya ndigokugura musoro wako. Nhasi ndichapa mitumbi yehondo yavaFiristia kushiri dzedenga nokuzvikara zvenyika, uye nyika yose ichaziva kuti muIsraeri muna Mwari. Vose vakaungana pano vachaziva kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo; nokuti kurwa ndokwaJehovha, uye achaisa imi mose mumaoko edu.” MuFiristia akati achiswedera pedyo kuti amuuraye, Dhavhidhi akakurumidza kumhanyira kumutsara wokurwa kuti andosangana naye. Akapinza ruoko rwake munhava ndokutora dombo, akaripotsera akarova muFiristia pahuma. Dombo rakanyura muhuma yake, akawira pasi nechiso chake. Saka Dhavhidhi akakunda muFiristia nechimviriri uye nedombo; akauraya muFiristia asina munondo muruoko rwake. Dhavhidhi akamhanya akandomira pamusoro pake. Akatora munondo womuFiristia akauvhomora mumuhara. Mushure mokunge amuuraya, akagura musoro wake nomunondo. VaFiristia vakati vaona kuti mhare yavo yafa, vakatendeuka vakatiza. Ipapo varume veIsraeri neveJudha vakafamba vachienda mberi vachidanidzira uye vakatevera vaFiristia kusvikira pasuo reGati nokumasuo eEkironi. Vakafa vavo vakati kata kata mumugwagwa weShaaraimi waienda kuGati nokuEkironi. VaIsraeri vakati vadzoka kundodzinganisa vaFiristia, vakapamba musasa wavo. Dhavhidhi akatora musoro womuFiristia akauya nawo kuJerusarema, uye akatora zvombo zvomuFiristia akazviisa mutende rake. Sauro akati atarisa Dhavhidhi achindosangana nomuFiristia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, “Abhineri, jaya iri mwanakomana waaniko?” Abhineri akati, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, mambo, ini handizivi.” Mambo akati, “Bvunza kuti jaya iri, mwanakomana waaniko?” Dhavhidhi akati achangobva kundouraya muFiristia, Abhineri akamutora akamuendesa pamberi paSauro, Dhavhidhi achakangobata musoro womuFiristia. Sauro akamubvunza akati, “Uri mwanakomana waaniko, nhai mujaya?” Dhavhidhi akati, “Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese wokuBheterehema.” Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye. Kubva pazuva iroro, Sauro akachengeta Dhavhidhi uye haana kuzomutendera kuti adzokere kumba kwababa vake. Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye. Jonatani akakurura nguo yaakanga akapfeka akaipa kuna Dhavhidhi, pamwe chete nechunika yake, uye kunyange munondo wake, uta hwake nebhanhire rake. Chimwe nechimwe chaaitumwa naSauro kuti aite, Dhavhidhi aizviita nomazvo chaizvo zvokuti Sauro akazomupa chinzvimbo chapamusoro-soro muhondo. Izvi zvakafadza vanhu vose, uye namachinda aSaurowo. Varume vakati vodzoka kumba, mushure mokunge Dhavhidhi auraya muFiristia, vakadzi vakabuda kundochingamidza Mambo Sauro vachibva kumaguta ose eIsraeri vachiimba, vachitamba, nziyo dzomufaro uye namatambureni nenyere. Pavaitamba, vaiimba vachiti, “Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, naDhavhidhi makumi ezviuru zvamazama ake.” Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?” Kubva panguva iyoyo Sauro akatarira Dhavhidhi neziso rine godo. Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake. Uye akaripotsera, achiti mumwoyo make, “Ndichabayira Dhavhidhi kumadziro.” Asi Dhavhidhi akamunzvenga kaviri kose. Sauro akanga achitya Dhavhidhi, nokuti Jehovha akanga anaye asi akanga abva kuna Sauro. Saka akamuendesa kure naye uye akamuita kuti ave mukuru wechiuru chavarwi, uye Dhavhidhi akatungamirira varwi muhondo dzavo. Pazvinhu zvose zvaaiita aibudirira zvikuru kwazvo, nokuti Jehovha akanga anaye. Sauro akati achiona kuti Dhavhidhi aibudirira sei, akamutya. Asi vaIsraeri navaJudha vose vaida Dhavhidhi, nokuti akavatungamirira muhondo dzavo. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Hoyu Merabhi mwanasikana wangu mukuru. Ndichamupa kwauri kuti ave mukadzi wako; chete iwe chindishandira wakashinga uye urwe hondo dzaJehovha.” Nokuti Sauro akafunga mumwoyo make achiti, “Handichasimudzi ruoko rwangu kuti ndirwe naye. VaFiristia ngavaite izvozvo!” Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini ndini ani hangu, uye mhuri yangu chiiko, kana imba yababa vangu muIsraeri, kuti ndive mukuwasha wamambo?” Saka nguva yakati yasvika yokuti Merabhi, mwanasikana waSauro, apiwe kuna Dhavhidhi, akawaniswa kuna Adhirieri weMehorati. Zvino Mikari mwanasikana waSauro akanga achida Dhavhidhi, saka vakati vaudza Sauro izvozvo, akafara. Akafunga akati, “Ndichamupa iye kwaari, kuitira kuti agova musungo kwaari uye kuitira kuti zvimwe ruoko rwavaFiristia rungarwe naye.” Saka Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Zvino wava nomukana wechipiri wokuti uve mukuwasha wangu.” Ipapo Sauro akarayira varanda vake akati, “Tauriranai naDhavhidhi pakavanda muti, ‘Tarira, mambo ari kukufarira, uye varanda vake vose vanokuda; zvino, chiva mukuwasha wake.’ ” Vakadzokorora mashoko iwaya kuna Dhavhidhi. Asi Dhavhidhi akati, “Munofunga kuti chinhu chiduku here kuva mukuwasha wamambo? Ndinongori munhu murombo zvake uye asingazivikanwi.” Varanda vaSauro vakati vamuudza zvakanga zvataurwa naDhavhidhi, Sauro akati, “Muti kuna Dhavhidhi, ‘Mambo haasi kuda rimwezve roora romwenga rinokunda zvikanda zvapamberi zvavaFiristia zana, kuti atsive vavengi vake.’ ” Urongwa hwaSauro hwakanga huri hwokuurayisa Dhavhidhi navaFiristia. Varanda vakati vataurira Dhavhidhi zvinhu izvi, akafara kuti ave mukuwasha wamambo. Saka nguva yakatarwa isati yapera, Dhavhidhi navanhu vake vakabuda vakauraya mazana maviri avaFiristia. Akauya nezvikanda zvavo zvapamberi akazvipa zvose zvakakwana kuna mambo kuitira kuti zvimwe angava mukuwasha wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake. Sauro akati aona kuti Jehovha akanga ana Dhavhidhi uye kuti Mikari mwanasikana wake akanga achida Dhavhidhi, Sauro akatonyanya kumutya, uye akaramba ari muvengi wake pamazuva ake ose. Vakuru vehondo yavaFiristia vakaramba vachienda kundorwa, uye nguva dzose dzavaienda, Dhavhidhi aibudirira kupfuura varanda vose vaSauro, uye zita rake rakazonyanya kuzivikanwa. Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani navaranda vake vose kuti vauraye Dhavhidhi. Asi Jonatani aida Dhavhidhi zvikuru akamuudza akati, “Baba vangu Sauro vari kutsvaka mukana wokukuuraya. Ungware, mangwana mangwanani; uende undovanda uye ugare ikoko. Ini ndichabuda ndigondomira nababa vangu mumunda maunenge uri. Ndichataura navo pamusoro pako ndigozokuudza zvandinenge ndaona.” Jonatani akataura zvakanaka pamusoro paDhavhidhi kuna Sauro baba vake akati kwavari, “Mambo ngaarege kuita zvakaipa kumuranda wake Dhavhidhi; haana kukutadzirai, uye zvaakaita zvakakubatsirai zvikuru kwazvo. Akabata upenyu hwake mumaoko ake paakauraya muFiristia. Jehovha akakundira vaIsraeri vose nokukunda kukuru, uye imi makazviona mukafara. Zvino munoitireiko zvakaipa kumunhu asina mhosva saDhavhidhi nokumuuraya pasina chikonzero?” Sauro akateerera kuna Jonatani akaita mhiko iyi achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Dhavhidhi haangaurayiwi.” Saka Jonatani akadana Dhavhidhi akamuudza zvose zvavakanga vataurirana. Akauya naye kuna Sauro, uye Dhavhidhi akava naSauro. Hondo yakavapozve, Dhavhidhi akabuda akaenda akandorwa navaFiristia. Akavauraya nokuuraya kukuru zvokuti vakatiza pamberi pake. Asi mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha wakauya pamusoro paSauro paakanga agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake. Dhavhidhi paakanga achiridza mbira, Sauro akaedza kumubayira kumadziro nepfumo rake, asi Dhavhidhi akamunzvenga Sauro akabayira pfumo mukati mamadziro. Usiku ihwohwo Dhavhidhi akatiza, akapunyuka. Sauro akatuma vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vairinde uye kuti vamuuraye mangwanani. Asi Mikari, mukadzi waDhavhidhi, akamuudza kuti, “Kana ukasatiza noupenyu hwako manheru ano, mangwana uchaurayiwa.” Saka Mikari akaburutsa Dhavhidhi napawindo, iye akatiza uye akapunyuka. Ipapo Mikari akatora chidhori akachivanzarika pamubhedha, akachifukidza nejira akaisa mvere dzembudzi kumusoro wacho. Sauro akati atuma vanhu kundobata Dhavhidhi, Mikari akati, “Ari kurwara.” Ipapo Sauro akadzorera vanhu kwakare kuti vandoona Dhavhidhi akataura kwavari akati, “Uyai naye kuno kwandiri ari pamubhedha wake kuti ndigomuuraya.” Asi varume vakati vapinda, vakaona kuti pakanga pane chidhori pamubhedha, uye pamusoro wacho paiva nemvere dzembudzi. Sauro akati kuna Mikari, “Seiko wakandinyengera kudai uchiendesa muvengi wangu kure kuti apunyuke?” Mikari akamuudza akati, “Iye ati kwandiri, ‘Ndirege ndiende hangu. Ndichakuurayireiko iwe?’ ” Dhavhidhi akati atiza uye apunyuka, akaenda kuna Samueri kuRama akamuudza zvose zvakanga zvaitwa kwaari naSauro. Ipapo iye naSamueri vakaenda kuNayoti vakandogarako. Shoko rakasvika kuna Sauro richiti, “Dhavhidhi ari kuNayoti paRama.” Saka akatuma vanhu kundomubata. Asi vakati vaona boka ravaprofita vachiprofita, naSamueri amire ipapo somutungamiri wavo, Mweya waMwari wakauya pamusoro pavanhu vaSauro uye naivowo vakaprofita. Sauro akaudzwa nezvazvo, akatumazve vamwe varume, naivowo vakaprofita. Pakupedzisira, iye akaendawo kuRama akaenda kutsime guru rapaSeku. Zvino akabvunza akati, “Samueri naDhavhidhi varipiko?” Ivo vakati, “Uko kuNayoti paRama.” Saka Sauro akaenda kuNayoti paRama. Asi Mweya waMwari wakauya kunyange pamusoro pake, akafamba achiprofita kusvikira kuNayoti. Akabvisa nguo dzake akaprofitawo pamberi paSamueri uye akavata pasi akashama zuva rose nousiku hwose. Naizvozvo vanhu vanoti, “NaSaurowo ari pakati pavaprofita here?” Ipapo Dhavhidhi akatiza kubva kuNayoti paRama akaenda kuna Jonatani uye akamubvunza akati, “Ndaita seiko hangu? Mhosva yangu ndeyei? Baba vako ndavatadzirei, zvavanotsvaka kundiuraya?” Jonatani akati, “Kwete! Haungatongofi! Tarira, baba vangu havamboiti chimwe chinhu, chikuru kana chiduku, vasingandizivisi. Vangazondivanzira izvi seiko? Hazvisi izvo!” Asi Dhavhidhi akapa mhiko akati, “Baba vako vanonyatsoziva kuti ndakawana nyasha pamberi pako, uye vakati mumwoyo mavo, ‘Jonatani haafaniri kuziva izvi nokuti angazvidya mwoyo.’ Asi zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwako, panongova nenhambwe imwe chete pakati pangu norufu.” Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Zvose zvaunoda kuti ndikuitire, ndichakuitira.” Saka Dhavhidhi akati, “Tarira, mangwana mutambo woKugara kwoMwedzi, uye ndinofanira kudya namambo; asi rega ndiende ndinovanda mumunda kusvikira madekwana okuswera mangwana. Kana baba vako vandishayiwa uvaudze kuti Dhavhidhi akakumbira zvikuru kwauri mvumo kuti ambomhanyira kuBheterehema, iro guta rokwake, nokuti chibayiro chegore rimwe nerimwe chiri kugadzirirwa mhuri yose ikoko. Kana vakati, ‘Zvakanaka,’ ipapo woziva kuti muranda wako ane rugare. Asi kana vakashatirwa, uchaziva chokwadi kuti vari kufunga zvokundiuraya. Asi kana uriwe, itira muranda wako zvakanaka, nokuti akaita sungano newe pamberi paJehovha. Kana ndine mhosva, ndiuraye iwe pachako! Ungandiisireiko kuna baba vako?” Jonatani akati, “Kwete! Dai ndaiziva kuti baba vangu vakafunga kukuuraya, handaikuudza here?” Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndianiko achazondiudza kana baba vako vakakupindura nehasha?” Jonatani akati, “Uya, tiende kumunda.” Saka vakaenda ikoko pamwe chete. Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi “NaJehovha, iye Mwari weIsraeri, zvirokwazvo ndichabvunzisisa baba vangu nenguva ino kuswera mangwana! Kana ndikaona kuti vanokufarira, ko, handingakutumiri shoko ndikazokuzivisa here? Asi kana baba vangu vachida kukuuraya, Jehovha ngaandirove, zvinorwadza kwazvo, kana ndikasakuzivisa uye ndikasakuendesa norugare. Jehovha ngaave newe sezvaakanga akaita kuna baba vangu. Asi iwe undiitire tsitsi dzisingaperi dzakafanana nedzaJehovha ndichiri mupenyu kudai kuti ndirege kuurayiwa, uye usambobvisa tsitsi dzako kumhuri yangu, kunyange Jehovha achinge auraya vavengi vaDhavhidhi vose pamusoro penyika.” Saka Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, achiti, “Jehovha ngaaite kuti vavengi vaDhavhidhi vapiwe mhosva.” Jonatani akaita kuti Dhavhidhi apikezve mhiko yorudo rwake kwaari, nokuti aimuda sokuzvida kwaaizviita iye. Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Mangwana, mutambo woKugara kwoMwedzi. Iwe uchashayikwa, nokuti chigaro chako chichange chisina munhu. Kuswera mangwana, kwavira, uende kunzvimbo yawakanga wakavanda pakatanga dambudziko iri, ugomira padombo reEzeri. Ndichapfura miseve mitatu kurutivi rwayo, sokunge ndine pandakananga kupfura. Ipapo ndichatuma mukomana ndigoti, ‘Enda undotsvaka miseve,’ Kana ndikati kwaari, ‘Tarira, miseve iri kurutivi rwako urwu; uya nayo kuno,’ ipapo uuye, nokuti zvirokwazvo naJehovha mupenyu, rugare rwuri kwauri; hapana ngozi. Asi kana ndikati kumukomana, ‘Tarira, miseve iri mberi kwako,’ ipapo unofanira kuenda hako, nokuti Jehovha akuendesa kure. Uye pamusoro penyaya yatakurukura iwe neni, rangarira, Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni nokusingaperi.” Saka Dhavhidhi akavanda mumunda, uye mutambo woKugara kwoMwedzi wakati wasvika, mambo akagara pasi kuti adye. Akagara panzvimbo yake yamazuva ose pamadziro, pakatarisana naJonatani, uye Abhineri akagara parutivi rwaSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. Sauro haana kutaura chinhu pazuva iroro, nokuti akati mumwoyo make, “Panofanira kuva nezvaitika kuna Dhavhidhi zvaita kuti ave asina kuchena, zvirokwazvo haana kuchena.” Asi pazuva rakatevera, iro zuva rechipiri romwedzi, nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu zvakare. Ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, “Seiko mwanakomana waJese asina kuuya kuzodya zuro nanhasi?” Jonatani akapindura achiti, “Dhavhidhi akandikumbirisa kwazvo kuti aende kuBheterehema. Akati, ‘Nditenderewo hangu ndiende nokuti mhuri yokwangu iri kucherechedza chibayiro muguta uye madzikoma angu akarayira kuti ndivepo. Kana ndawana nyasha kwauri, rega ndiende hangu ndinoonana namadzikoma angu.’ Ndokusaka asina kuuya patafura yamambo.” Kutsamwa kwaSauro kwakanganduma nokuda kwaJonatani, akati kwaari, “Iwe mwanakomana womukadzi akatsauka uye anomukira! Unoti handizivi kanhi kuti unowirirana nomwanakomana waJese kuti uzvinyadzise, iwe uyewo kuti mai vako vakakubereka vanyadziswe. Kana mwanakomana waJese achirarama panyika ino chete, iwe kana umambo hwako haungasimbiswi. Iye zvino tuma munhu auye naye kwandiri, nokuti anofanira kufa!” Jonatani akabvunza baba vake akati, “Sei achifanira kuurayiwa? Chiiko chaakaita?” Asi Sauro akapotsera pfumo rake kwaari kuti amuuraye. Ipapo Jonatani akaziva kuti baba vake vakanga vachida kuuraya Dhavhidhi. Jonatani akakwakuka patafura nokutsamwa kukuru; pazuva rechipiri iroro romwedzi haana kudya, nokuti akanga akatsamwira baba vake nokuda kwamabatiro anonyadza avakanga vaita Dhavhidhi. Fume mangwana, Jonatani akaenda kumunda kuti andosangana naDhavhidhi. Akanga ano mukomana muduku pamwe chete naye, akati kumukomana, “Mhanya undotsvaka miseve yandinopfura.” Mukomana achiri kumhanya, iye akapotsera museve mberi kwake. Mukomana akati asvika panzvimbo yakawira museve waJonatani, Jonatani akadanidzira kwaari akati, “Ko, museve hauzi mberi kwako here?” Ipapo akadanidzira kwaari akati, “Kurumidza! Enda nokukasika! Usamira!” Mukomana akanonga museve akadzokera kuna tenzi wake. (Mukomana haana chaakaziva pane zvose izvi; Jonatani naDhavhidhi chete, ndivo vaiziva.) Ipapo Jonatani akapa zvombo zvake kumukomana akati, “Chienda, takura udzokere nazvo kuguta.” Mushure mokuenda kwomukomana, Dhavhidhi akasimuka nechokurutivi rwezasi rwedombo akakotamira Jonatani katatu, chiso chake chakatsikitsira. Ipapo vakasvetana vakachema pamwe chete asi Dhavhidhi akanyanyisa kuchema. Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Chienda hako norugare, nokuti takapikirana ushamwari pakati pedu muzita raJehovha, tichiti, ‘Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni, uye pakati pezvizvarwa zvako nezvizvarwa zvangu nokusingaperi.’ ” Ipapo Dhavhidhi akabva, uye Jonatani akadzokerawo muguta. Dhavhidhi akaenda kuNobhi, kuna Ahimereki muprista. Ahimereki akadedera paakasangana naye, akati, “Seiko uri woga? Sei pasina wawauya naye?” Dhavhidhi akapindura Ahimereki muprista akati, “Mambo akandirayira rimwe shoko akati kwandiri, ‘Hapana anofanira kuziva kana chinhu pamusoro pezvawafambira uye zvawarayirwa.’ Asi kana vari vanhu vangu, ndakavataurira kuti vasangane neni pane imwe nzvimbo. Pari zvino chiiko chamunacho pano? Ndipeiwo zvingwa zvishanu, kana chipi zvacho chamungawana.” Asi muprista akapindura Dhavhidhi akati, “Handina chingwa zvachowo pano; asi pano pane chingwa chakatsaurwa, ndokunge vanhu vakazvichengeta kubva kuvakadzi.” Dhavhidhi akati, “Zvirokwazvo vakadzi vanga vakaparadzaniswa nesu, sapanguva dzose kana ndofamba rwendo. Midziyo yavo mitsvene kunyange dai rwanga rwuri rwendo rusati rwuri rutsvene. Ko, kutoti hazvo iye nhasi!” Saka muprista akamupa chingwa chakatsaurwa, sezvo pakanga pasina chingwa kunze kwechingwa choKuvapo chakanga chabviswa pamberi paJehovha uye chikatsiviwa nechingwa chinopisa musi iwoyo wachakabviswa. Zvino mumwe wavaranda vaSauro akanga aripo pazuva iro, amiswa pamberi paJehovha; akanga ari Dhoegi muEdhomu, mufudzi mukuru waSauro. Dhavhidhi akabvunza Ahimereki akati, “Hamuna pfumo kana munondo pano here? Handina kuuya nomunondo wangu kana chimwe chombo zvacho, nokuti basa ramambo ranga riri rokukurumidza.” Muprista akapindura akati, “Munondo waGoriati muFiristia, uya wawakauraya muMupata weEra, uri pano; wakaputirwa mumucheka seri kweefodhi; kana uchiuda, tora hako; hapana munondo pano kunze kwaiwoyo.” Dhavhidhi akati, “Hakuna mumwe wakafanana nawo; ndipei iwoyo.” Musi iwoyo Dhavhidhi akatiza Sauro akaenda kuna Akishi mambo weGati. Asi varanda vaAkishi vakati kwaari, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Ko, haazi iye wavanoimba nezvake vachifamba, vachiti: “ ‘Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake’?” Dhavhidhi akaisa mashoko aya mumwoyo make uye akatya Akishi mambo weGati zvikuru. Saka akazviita benzi pamberi pavo; uye paakanga ari mumaoko avo akazviita somunhu anopenga, achikwara-kwara pamagonhi esuo uye achirega mate achisiririkira pandebvu dzake. Akishi akati kuvaranda vake, “Tarisai munhu uyu! Ibenzi iri! Mauyirei naye kwandiri? Ndashaya mapenzi zvakambodiniko zvamabva mandivigira munhu uyu kuti arambe achiita izvozvi pamberi pangu? Murume uyu angafanira kupinda mumba mangu here?” Dhavhidhi akabva kuGati akatizira kubako reAdhuramu. Hama dzake uye neveimba yababa vake vakazvinzwa, vakaburuka vakaenda ikoko kwaakanga ari. Vose vaitambudzika kana kuti vaiva nezvikwereti, kana vainyunyuta vakaungana kwaari uye akava mutungamiri wavo. Varume vanenge mazana mana vakanga vanaye. Kubva ipapo Dhavhidhi akaenda kuMizipa muMoabhu akati kuna mambo weMoabhu, “Ungatendera here baba vangu namai vangu kuti vauye kuzogara newe kusvikira ndaziva zvandichaitirwa naMwari?” Saka akavasiya kuna mambo weMoabhu, ivo vakagara naye nguva yose yakagara Dhavhidhi munhare. Asi muprofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi, “Usagara munhare. Enda munyika yeJudha.” Saka Dhavhidhi akabva akaenda kusango reHereti. Zvino Sauro akanzwa kuti Dhavhidhi navanhu vake vakanga vawanikwa. Uye Sauro, akabata pfumo muruoko rwake, akanga akagara pasi pomuti womutamarisiki pachikomo cheGibhea, uye vabati vake vose vakamira vakamupoteredza. Sauro akati kwavari, “Inzwai, imi varume veBhenjamini! Ko, mwanakomana waJese achakupai imi mose minda neminda yemizambiringa here? Ko, achakuitai imi mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here? Ndizvo here zvaita kuti imi mose murangane kundimukira? Hakuna anondiudza nguva inoita mwanakomana wangu sungano nomwanakomana waJese. Hakuna kana mumwe wenyu ane hanya neni kana anondizivisa kuti mwanakomana wangu akarunzira muranda wangu kuti andivandire, sezvaanoita nhasi.” Asi Dhoegi muEdhomu, uyo akanga amire navaranda vaSauro, akati, “Ndakaona mwanakomana waJese achisvika kumba kwaAhimereki mwanakomana waAhitubhi paNobhi. Ahimereki akamubvunzira kuna Jehovha; akamupazve mbuva uye nomunondo waGoriati muFiristia.” Ipapo mambo akatuma nhume kumuprista Ahimereki mwanakomana waAhitubhi uye nokumhuri yose yababa vake, avo vakanga vari vaprista paNobhi, vose vakauya kuna mambo. Sauro akati, “Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubhi.” Akapindura akati, “Ndiri pano, ishe wangu.” Sauro akati kwaari, “Seiko mandirangana, iwe nomwanakomana waJese, uchimupa chingwa nomunondo uye nokumubvunzira kuna Mwari, zvokuti andimukira uye anondivandira, sezvaanoita nhasi?” Ahimereki akapindura mambo akati, “Ndianiko pakati pavaranda venyu vose akatendeka saDhavhidhi, mukuwasha wamambo, mukuru wavarindi venyu uye anokudzwa kwazvo mumba menyu? Ko, ndiro rakanga riri zuva rokutanga here randakamubvunzira kuna Mwari? Zvirokwazvo kwete! Mambo ngaarege kupa mhosva muranda wenyu kana mumwe upi zvake wemhuri yababa vake, nokuti muranda wenyu haana kana chaanoziva pamusoro penyaya iyi yose.” Asi mambo akati, “Zvirokwazvo uchafa, Ahimereki, iwe nemhuri yose yababa vako.” Ipapo mambo akarayira varindi vaiva padivi pake akati, “Tendeukai muuraye vaprista vaJehovha, nokuti naivowo vatsigira Dhavhidhi. Vaiziva kuti akanga achitiza, asi havana kundiudza.” Asi varanda vamambo vakanga vasingadi kusimudza ruoko kuti vauraye vaprista vaJehovha. Ipapo mambo akarayira Dhoegi akati, “Iwe, tendeuka uuraye vaprista.” Saka Dhoegi muEdhomu akatendeuka akavauraya. Pazuva iroro akauraya varume makumi masere navashanu vakanga vakapfeka efodhi yomucheka. Akaparadzawo Nobhi, guta ravaprista, navarume varo navakadzi, navana navacheche, nemombe dzaro, mbongoro namakwai. Asi Abhiatari, mwanakomana waAhimereki, mwanakomana waAhitubhi, akapunyuka akatiza uye akandobatana naDhavhidhi. Akaudza Dhavhidhi kuti Sauro akanga auraya vaprista vaJehovha. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari “Zuva riya, Dhoegi muEdhomu paakanga aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo aizoudza Sauro. Ndini ndaurayisa baba vako nemhuri yavo yose. Gara neni; usatya; munhu ari kutsvaka mweya wako anotsvaka nowanguwo. Uchagara wakachengetedzeka kana uneni.” Dhavhidhi akati audzwa kuti, “Tarirai, vaFiristia vari kurwa neKeira uye vari kupamba zvirimwa pamapuriro,” akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwa navaFiristia ava?” Jehovha akamupindura akati, “Enda, urwise vaFiristia ugoponesa Keira.” Asi vanhu vaDhavidhi vakati kwaari, “Isu vokuno kuJudha tinotya. Zvino, zvikuru sei kana tikaenda kuKeira kundorwa navarwi vavaFiristia!” Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha, Jehovha akamupindura akati, “Buruka uende kuKeira, nokuti ndichaisa vaFiristia muruoko rwako.” Saka Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kuKeira, vakarwa navaFiristia uye akavatorera zvipfuwo zvavo. Akauraya vaFiristia vakawanda kwazvo akaponesa vanhu vokuKeira. (Zvino Abhiatari mwanakomana waAhimereki akanga auya neefodhi paakatiza achidzika kuna Dhavhidhi kuKeira.) Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi akanga aenda kuKeira, ndokuti, “Mwari amuisa muruoko rwangu, nokuti Dhavhidhi azvipfigira zvaapinda muguta rina masuo namazariro.” Uye Sauro akadana varwi vake vose kuhondo, kuti vaburuke vaende kuKeira kundokomba Dhavhidhi navanhu vake. Dhavhidhi akati anzwa kuti Sauro akanga ari kuita rangano yakaipa pamusoro pake, akati kuna Abhiatari muprista, “Uya neefodhi.” Dhavhidhi akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, muranda wenyu anzwa zvechokwadi kuti Sauro ari kuronga kuti auye kuKeira kuti aparadze guta iri nokuda kwangu. Ko, vanhu veKeira vachandiisa kwaari here? Ko, Sauro achaburuka here, sokunzwa kwaita muranda wenyu? Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, zivisai muranda wenyu.” Uye Jehovha akati, “Achauya.” Dhavhidhi akatizve, “Ko, vanhu veKeira vachaisa ini navanhu vangu kuna Sauro here?” Uye Jehovha akati, “Vachaita saizvozvo.” Saka Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu pakuwanda, vakabva kuKeira vakaramba vachifamba vachibva pane imwe nzvimbo vachienda pane imwe nzvimbo. Sauro akati audzwa kuti Dhavhidhi akanga apunyuka kubva paKeira, haana kuzoendako. Dhavhidhi akagara munhare dzomurenje uye nomuzvikomo zvomuRenje reZifi. Zuva nezuva Sauro akamutsvaka, asi Mwari haana kuisa Dhavhidhi mumaoko ake. Dhavhidhi paakanga ari paHoreshi muRenje reZifi, akanzwa kuti Sauro akanga auya kuzomuuraya. Uye Jonatani mwanakomana waSauro akaenda kuna Dhavhidhi paHoreshi akamubatsira kuti awane simba muna Mwari. Iye akati kwaari, “Usatya. Baba vangu Sauro havasi kuzokubata. Iwe uchava mambo weIsraeri, uye ini ndichava wechipiri kwauri. Kunyange baba vangu Sauro vanozviziva izvi.” Ivo vari vaviri vakaita sungano pamberi paJehovha. Ipapo Jonatani akaenda kumba asi Dhavhidhi akasara paHoreshi. VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda here pakati pedu munhare yapaHoreshi, pachikomo cheHakira, zasi kweJeshimoni? Zvino, imi mambo, burukai pamunodira kuita izvozvo, uye richava basa redu isu kumuisa kwamuri imi mambo.” Sauro akapindura akati, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuda kwehanya yamunayo pamusoro pangu. Endai mundonyatsogadzirira. Mutsvakisise muone kunogaroenda Dhavhidhi uye kuti ndiani akamuonako. Ivo vanondiudza kuti iye munhu ano unyengeri kwazvo. Mutsvakisisei pamusoro penzvimbo dzose dzokuvanda dzaanovanda mugodzoka kwandiri neshoko rakananga. Ipapo ndichaenda nemi; kana ari munharaunda, ndichamutsvakisisa pakati pedzimba dzaJudha.” Saka vakasimuka vakaenda kuZifi pamberi paSauro. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari muRenje reMaoni, muArabha zasi kweJeshimoni. Sauro navanhu vake vakatanga kutsvaka, uye Dhavhidhi akati azvinzwa akaburuka akaenda kune rimwe dombo uye akagara muRenje reMaoni. Sauro akati anzwa izvi, akaenda kuRenje reMaoni achitevera Dhavhidhi. Sauro akaenda ari kuno rumwe rutivi rwegomo, uye Dhavhidhi navanhu vake vakaenda nokuno rumwe rutivi, vachikurumidza kuti vatize kubva kuna Sauro. Sauro navarwi vake paakanga ava pedyo naDhavhidhi navanhu vake kuti avabate, nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, “Uyai nokukurumidza! VaFiristia vava kupamba nyika.” Ipapo Sauro akarega kudzinganisa Dhavhidhi akaenda kundosangana navaFiristia. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyi kuti Sera Hamarekoti. Zvino Dhavhidhi akakwira kubva ipapo akandogara munhare dzeEni Gedhi. Shure kwokudzoka kwaSauro kundodzinganisa vaFiristia, akaudzwa kuti, “Dhavhidhi ari muRenje reEni Gedhi.” Saka Sauro akatora zviuru zvavarume vakatsaurwa kubva muIsraeri yose akasimuka akaenda kundotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pedyo naMatombo eNgururu. Akasvika pamatanga amakwai munzira iyoyo; pakanga pane bako, uye Sauro akapindamo kuti azorore. Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari mukati kati mebako. Vanhu vakati, “Iri ndiro zuva rakataurwa naJehovha paakati kwamuri, ‘Ndichaisa vavengi vako mumaoko ako kuti uvaitire sezvaunoda.’ ” Ipapo Dhavhidhi akakambaira chinyararire asingaonekwi akacheka kona yenguo yaSauro. Shure kwaizvozvo Dhavhidhi akarohwa nehana nokuda kwokuti akanga acheka kona yenguo yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kuita chinhu chakadai kuna tenzi wangu, muzodziwa waJehovha.” Namashoko aya Dhavhidhi akatsiura vanhu vake akasavatendera kuti varwise Sauro. Zvino Sauro akabva pabako akaenda hake. Ipapo Dhavhidhi akabuda mubako akadanidzira kuna Sauro achiti, “Ishe wangu mambo!” Sauro akati acheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso chake. Akati kuna Sauro, “Sei muchiteerera vanhu pavanoti, ‘Dhavhidhi anotsvaka kukukuvadzai?’ “Nhasi mazvionera nameso enyu kuti Jehovha akuisai sei mumaoko angu muri mubako. Vamwe vandikurudzira kuti ndikuurayei, asi ndakuregererai, ndikati, ‘Handingasimudzi ruoko rwangu pamusoro patenzi wangu, nokuti ndiye muzodziwa waJehovha.’ Tarirai, baba vangu, tarirai benga renguo yenyu riri muruoko rwangu! Ndacheka kona yenguo yenyu asi handina kukuurayai. Zvino chinzwisisai muzive kuti handina mhosva yokukuitirai zvakaipa kana kukumukirai. Handina kukutadzirai, asi imi muri kundivhima kuti mundiuraye. Jehovha ngaatonge pakati penyu nemi. Uye Jehovha ngaatsive zvakaipa zvamakaita kwandiri, asi ruoko rwangu harungarwi nemi. Sezvinoreva tsumo yekare ichiti, ‘Kuno wakaipa kunobuda mabasa akaipa, saizvozvo ruoko rwangu harungarwi nemi.’ “Ko, mambo waIsraeri akabuda kuzorwa naaniko? Ndianiko wamunodzinganisa? Imbwa yakafa here? Nhata here? Jehovha ngaave mutongi wedu uye aone pakati penyu neni. Ngaatsvake mhaka yangu aiwane; ngaandiruramisire nokundirwira kubva muruoko rwenyu.” Dhavhidhi akati apedza kutaura mashoko aya, Sauro akabvunza akati, “Inzwi rako here, Dhavhidhi mwanakomana wangu?” Ipapo akachema kwazvo. Akati, “Iwe wakarurama kupfuureni. Iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa. Uchangobva kundirondedzera iye zvino zvakanaka zvawakandiitira; Jehovha akandiisa mumaoko ako, asi hauna kundiuraya. Kana munhu akawanikidza muvengi wake angamurega achienda asina vanga here? Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira. Ndinoziva zvirokwazvo kuti iwe uchava mambo uye umambo hweIsraeri huchasimbiswa mumaoko ako. Zvino pika kwandiri naJehovha kuti iwe hauchazoparadzi zvizvarwa zvangu kana kuparadza zita rangu kubva pamhuri yababa vangu.” Saka Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Ipapo Sauro akadzokera kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo. Zvino Samueri akafa, uye Israeri yose yakaungana ikamuchema; uye vakamuviga pamusha pake muRama. Ipapo Dhavhidhi akaburuka akaenda kuRenje reMaoni. Mumwe murume weMaoni, uyo akanga ane pfuma ikoko paKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga ane mbudzi chiuru uye makwai zviuru zvitatu, akanga achiveura paKarimeri. Zita rake rainzi Nabhari uye zita romukadzi wake rainzi Abhigairi. Mukadzi akanga akangwara uye akanaka kwazvo, asi murume wake muKarebhu, akanga ane mwoyo mukukutu akaipa pamagariro ake. Dhavhidhi achiri mugwenga, akanzwa kuti Nabhari akanga achiveura makwai ake. Saka akatuma majaya gumi akati kwavari, “Endai kuna Nabhari paKarimeri mundomukwazisa muzita rangu. Muti kwaari, ‘Rugare kwauri! Utano hwakanaka kwauri neimba yako! Uye utano hwakanaka pazvinhu zvako zvose! “ ‘Zvino ndinonzwa kuti ino inguva yokuveura makwai. Vafudzi vako pavakanga vanesu, isu hatina kuvabata zvakaipa, uye nguva yose yavakanga vari paKarimeri hakuna chimwe chezvinhu zvavo chakarasika. Ubvunze varanda vako, ivo vachakuudza. Naizvozvo chinzwira majaya angu tsitsi, sezvo tasvika panguva yomutambo. Ndapota ipai varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi zvose zvamungamuwanira.’ ” Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika, vakaudza Nabhari mashoko aya muzita raDhavhidhi. Ipapo vakamirira. Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi uyu ndiani? Ndianiko uyu mwanakomana waJese? Varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo mazuva ano aya. Ko, ndingatorerei chingwa changu nemvura yangu uye nenyama yandakaurayira vaveuri vangu, ndichipa vanhu vandisingazivi kwavanobva?” Vanhu vaDhavhidhi vakatendeuka vakadzokera havo. Vakati vasvika, vakamutaurira mashoko ose. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Pakatai minondo!” Saka vakapakata minondo yavo, naDhavhidhi akapakatawo wake. Varume vanenge mazana mana vakaenda naDhavhidhi, vanokwana mazana maviri vakasara vane nhumbi. Mumwe wavaranda akataura kuna Abhigairi mukadzi waNabhari akati, “Dhavhidhi akatuma nhume kubva kurenje kuzokwazisa vatenzi vedu, asi ivo vakavatuka. Asi varume ava vakanga vakanaka kwazvo kwatiri. Havana kutibata zvakaipa, uye panguva yose iyi yatakanga tinavo musango hatina kurasikirwa nechinhu. Vakanga vari rusvingo kwatiri usiku namasikati nguva yose yatakanga tichifudza makwai edu pedyo navo. Zvino fungisisai izvi muone zvamungaita, nokuti njodzi yadongorera pamusoro patenzi wedu neimba yake yose. Iye munhu akaipa zvokuti hakuna angataura naye.” Abhigairi haana kupedza nguva. Akatora mazana maviri ezvingwa, matende amatehwe ewaini maviri, makwai akavhiyiwa mashanu, zviyero zvishanua zvezviyo zvakakangwa, mazana mashanu amakeke amazambiringa akaoma uye mazana maviri amakeke amaonde akasvinwa, akazvitakudza mbongoro. Ipapo akataura kuvaranda vake akati, “Chitungamirai; ini ndichakuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari. Akati achiuya akatasva mbongoro yake pamupata wegomo, vanaDhavhidhi navanhu vake vakaburuka vakananga kwaari, iye akasangana navo. Dhavhidhi akanga achangobva kuti, “Zvirokwazvo ndakatamburirei kuchengetedza zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje zvokuti hapana chinhu chake chakarasika. Andiripira nezvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka. Mwari ngaarove Dhavhidhi, amurove kwazvo, kana mangwana mangwanani ndikasiya murume mumwe chete pavanhu vose vaanavo!” Abhigairi akati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake akakotama nechiso chake pamberi paDhavhidhi. Akawira pamakumbo ake akati, “Ishe wangu, mhosva iyi ngaive kwandiri ndoga. Ndapota hangu regai murandakadzi wenyu ataure kwamuri; inzwai zvinoreva murandakadzi wenyu. Ishe wangu ngaarege kurangarira munhu uya akaipa, iye Nabhari. Akangoita sezita rake, zita rake rinoreva kuti Benzi, uye upenzi hunogara naye. Asi kana ndirini, murandakadzi wenyu, handina kuona vanhu vakanga vatumwa natenzi wangu. “Zvino sezvo Jehovha akudzivisai, tenzi wangu, pakuteura ropa uye pakuzvitsivira namaoko enyu, zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, vavengi venyu navose vanoda kuitira tenzi wangu zvakaipa ngavafanane naNabhari. Uye chipo ichi chauyiswa kuna tenzi nomurandakadzi wenyu ngachipiwe kuvanhu vanokuteverai. Ndapota hangu regererai murandakadzi wenyu pakukanganisa kwake, nokuti Jehovha achaitira tenzi wangu imba youmambo yakasimba, nokuti iye anorwa hondo dzaJehovha. Kuita kwakaipa ngakurege kuwanikwa mamuri muupenyu hwenyu hwose. Kunyange hazvo mumwe munhu akakudzinganisai kuti akuurayei, upenyu hwatenzi wangu hucharamba hwakasungirwa pachisote chavapenyu naJehovha Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera kure sohunobva muhomwe yechimviriri. Mushure mokunge Jehovha aitira tenzi wangu zvinhu zvose zvakanaka zvaakavimbisa pamusoro pake uye amugadza kuva a18 marita angaita 37 mutungamiri weIsraeri, tenzi wangu haangazovi nomutoro unorema pahana yake wokuteura ropa risina mhosva kana wokuzvitsivira pachake. Uye kana Jehovha akakundisa tenzi wangu, murangarire henyu murandakadzi wenyu.” Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, akutuma nhasi kuti uzosangana neni. Uropafadzwe iwe nokuda kwokungwara kwako kwakanaka uye nokundiita kuti ndisateura ropa nhasi uye kuti ndisazvitsivira namaoko angu. Zvirokwazvo naJehovha Mwari waIsraeri mupenyu, iye andidzivisa kuti ndirege kukuuraya, zvimwe dai usina kukurumidza kusangana neni, hakuna murume pakati pavanhu vaNabhari anga achasiyiwa ari mupenyu mangwana chaiwo kuchiedza.” Ipapo Dhavhidhi akagamuchira kubva muruoko rwake zvaakanga amuvigira akati, “Enda kumba norugare. Ndanzwa mashoko ako uye nechikumbiro chako.” Abhigairi akati adzokera kuna Nabhari, akanga ari mumba achiita mutambo wakafanana nowamambo. Mwoyo wake wakanga wakafara kwazvo uye akadhakwa. Saka haana chaakamuudza kusvikira mangwana. Ipapo mangwanani, Nabhari paakanga asina kudhakwa, mukadzi wake akamuudza zvinhu zvose izvi, mwoyo wake ukaneta uye ukaita sedombo. Shure kwamazuva anenge gumi, Jehovha akarova Nabhari akafa. Dhavhidhi akati anzwa kuti Nabhari akanga afa, akati, “Jehovha ngaakudzwe, iye akanditsivira mhosva yangu pamusoro paNabhari uyo akandizvidza. Akadzivisa muranda wake kuti arege kuita zvakaipa uye auyisa kuipa kwaNabhari pamusoro pake.” Ipapo Dhavhidhi akatuma shoko kuna Abhigairi, achimukumbira kuti ave mukadzi wake. Varanda vake vakaenda kuKarimeri vakati kuna Abhigairi, “Dhavhidhi atituma kwamuri kuti tikutorei kuti muve mukadzi wake.” Akakotamisa chiso chake pasi akati, “Houno murandakadzi wenyu, akazvigadzirira kukushumirai nokushambidza tsoka dzavaranda vatenzi wangu.” Abhigairi akakurumidza kutasva mbongoro akaenda navarandakadzi vake vashanu, vakaenda nenhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi waDhavhidhi. Dhavhidhi akanga awanazve Ahinoami muJezireeri, uye vose vakava vakadzi vake. Asi Sauro akanga apa mwanasikana wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi, kuna Paritieri mwanakomana waRaishi, akanga achibva kuGarimi. VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pachikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni here?” Saka Sauro akaburuka akaenda kuRenje reZifi, ana varume zviuru zvitatu vakanga vasarudzwa pakati pavaIsraeri, kuti vandotsvaka Dhavhidhi ikoko. Sauro akaita musasa wake parutivi pomugwagwa uri pachikomo cheHakira chakatarisana neJeshimoni, asi Dhavhidhi akanga achigara murenje. Akati achiona kuti Sauro akanga amutevera imomo, akatuma vasori akanzwa kuti Sauro akanga asvika, zvirokwazvo. Ipapo Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo kwakanga kwadzikwa musasa naSauro. Akaona pakanga pakavata Sauro naAbhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo. Sauro akanga akavata mukati momusasa, uye varwi vakavaka misasa yavo vakamupoteredza. Ipapo Dhavhidhi akabvunza Ahimereki muHeti naAbhishai mwanakomana waZeruya, munun'una waJoabhu akati, “Ndianiko achapinda neni mumusasa kuna Sauro?” Abhishai akati, “Ndichaenda nemi.” Saka Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kuvarwi usiku, uye vakawana Sauro avete mukati momusasa, pfumo rake rakabayirwa pasi pedyo nomusoro wake. Abhineri navarwi vakanga vavete vakamupoteredza. Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu. Zvino regai ndimubayire pasi kamwe chete nepfumo rangu; handimbomubayi kaviri.” Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuparadza! Ndianiko angagona kutambanudza ruoko rwake pamuzodziwa waJehovha akashaya mhosva? Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Jehovha pachake ndiye achamuuraya; zvimwe nguva yake ichasvika uye achafa, kana kuti achaenda kuhondo agofa. Asi Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha. Zvino chitora pfumo nechirongo chemvura zviri pedyo nomusoro wake tiende.” Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura pedyo nomusoro waSauro, ivo ndokubvapo. Hakuna akaona kana kuziva nezvazvo, uye hakuna kana akamuka. Vose vakanga vavete, nokuti Jehovha akanga avapa hope huru. Ipapo Dhavhidhi akayambuka akaenda kuno rumwe rutivi akandomira pamusoro pechikomo, chinhambwe chiri kure; pakanga pane nzvimbo yakafara pakati pavo. Akadanidzira kuvarwi nokuna Abhineri mwanakomana waNeri akati, “Abhineri haundidaviri here?” Abhineri akapindura akati, “Ndiwe aniko unodanidzira kuna mambo?” Dhavhidhi akati, “Uri murume, handizvo here? Uye ndianiko akaita sewe muIsraeri? Ko, wakaregererei kurinda ishe wako iye mambo? Mumwe akasvika kuzoparadza ishe wako iye mambo. Zvawaita hazvina kunaka. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe navanhu vako munofanira kufa, nokuti hamuna kurinda tenzi wenyu, iye muzodziwa waJehovha. Chitarira pauri. Ko, pfumo ramambo nechirongo chavo zvakanga zviri pedyo nomusoro wavo zviripi?” Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi akati, “Ko, inzwi rako here Dhavhidhi mwanakomana wangu?” Dhavhidhi akapindura akati, “Hongu ndiro, ishe wangu mambo.” Akatizve, “Seiko ishe wangu achidzinganisa muranda wake? Ndakaiteiko, uye mhosva yandakapara ndeipiko? Zvino ishe wangu mambo ngaateerere mashoko omuranda wake. Kana Jehovha akakukurudzirai kuti muzorwa neni, zvino ngaagamuchire chipiriso. Kana, zvakadaro hazvo, vari vanhu vakazviita, ngavatukwe pamberi paJehovha! Vakandidzinga zvino pamugove wangu panhaka yaJehovha vakati, ‘Enda undoshumira vamwe vamwari.’ Zvino ropa rangu ngarirege kuteukira pasi kure naJehovha. Mambo waIsraeri akabuda kuti azotsvaka nhata, somunhu anovhima chikwari mumakomo.” Ipapo Sauro akati, “Ndakatadza. Dzoka, Dhavhidhi mwanakomana wangu. Nokuti waona kukosha kwoupenyu hwangu nhasi, handichaedzi kukuuraya zvakare. Zvirokwazvo ndakaita sebenzi uye ndakatadza zvikuru.” Dhavhidhi akati, “Heri pfumo ramambo. Regai mumwe wamajaya enyu auye kuno azoritora. Jehovha anoripira munhu mumwe nomumwe nokuda kwokururama kwake uye nokutendeka kwake. Jehovha akuisai mumaoko angu nhasi, asi handina kuda kutambanudzira ruoko rwangu pamuzodziwa waJehovha. Zvirokwazvo sezvandakoshesa upenyu hwenyu nhasi, saizvozvo Jehovha ngaakoshese upenyu hwangu agondiponesa pamatambudziko ose.” Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Iwe uropafadzwe, mwanakomana wangu Dhavhidhi; iwe uchaita zvinhu zvikuru uye zvirokwazvo uchakunda.” Saka Dhavhidhi akaenda hake, uye Sauro akadzokera kumusha. Asi Dhavhidhi akafunga mumwoyo make, akati, “Rimwe ramazuva ano ndichaparadzwa noruoko rwaSauro. Chinhu chiri nani chandingaita ndechokutizira kunyika yavaFiristia. Ipapo Sauro acharega kunditsvaka muIsraeri yose, uye ndichapukunyuka muruoko rwake.” Saka Dhavhidhi akabva navarume mazana matanhatu vakanga vanaye akaenda kuna Akishi mwanakomana waMaoki mambo weGati. Dhavhidhi navanhu vake vakandogara naAkishi mugati naAkishi. Murume mumwe nomumwe akanga ane mhuri yake, uye Dhavhidhi akanga ana vakadzi vake vaviri vanoti: Ahinoami weJezireeri naAbhigairi weKarimeri, chirikadzi yaNabhari. Sauro akati anzwa kuti Dhavhidhi akanga atizira kuGati, haana kuzomutsvakazve. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, regai ndipiwe hangu nzvimbo mune rimwe ramaguta omunyika kuti ndigareko. Muranda wenyu angagara seiko muguta ramambo nemi?” Saka musi iwoyo, Akishi akamupa Zikiragi, uye rikava guta ramadzimambo eJudha kusvikira nhasi. Dhavhidhi akagara munyika yavaFiristia kwegore nemwedzi mina. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakaenda vakandopamba vaGeshuri, vaGeziri, navaAmareki. (Kubva kare vanhu ava vakanga vachigara munyika yaisvika kuShuri neIjipiti.) Dhavhidhi aiti akarwisa nzvimbo, akanga asingasiyi murume kana mukadzi ari mupenyu, asi aitora makwai nemombe, mbongoro, nengamera, nenguo. Ipapo akadzokera kuna Akishi. Akishi aiti amubvunza kuti, “Wanga waenda kundopamba kupiko nhasi?” Dhavhidhi aiti, “Kurutivi rweZasi kweJudha kana kuti kurutivi rweZasi kweJerameeri kana kuti kurutivi rweZasi kweKeni.” Haana kusiya murume kana mukadzi ari mupenyu kuti auye navo kuGati, nokuti akafunga mumwoyo make kuti, “Vangazotirevera vachiti, ‘Izvi ndizvo zvaitwa naDhavhidhi.’ ” Uye aya ndiwo akanga ari maitiro ake pakugara kwake kwose munyika yavaFiristia. Akishi akavimba naDhavhidhi akati mumwoyo make, “Ava munhu anovengwa kwazvo navanhu vokwake, ivo vaIsraeri, zvokuti achava muranda wangu nokusingaperi.” Mumazuva iwayo vaFiristia vakaunganidza varwi vavo kuti vazorwa navaIsraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, “Unofanira kunzwisisa kuti iwe navanhu vako muchaenda neni kuhondo.” Dhavhidhi akati, “Ipapo muchazvionera pachenyu zvinogona kuitwa nomuranda wenyu.” Akishi akapindura akati, “Zvakanaka chaizvo, ndichakuita muchengeti wangu kwoupenyu hwose.” Zvino Samueri akanga afa, uye vaIsraeri vose vakanga vamuchema, vakamuviga muguta rake reRama. Sauro akanga adzinga panyika masvikiro navauki. VaFiristia vakaungana vakauya vakadzika musasa paShunemi, uye Sauro akaunganidza vaIsraeri vose akadzika musasa paGiribhoa. Sauro akati aona varwi vavaFiristia, akatya; kutya kwakazadza mwoyo wake. Akabvunza kuna Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura nezviroto kana neUrimi kana navaprofita. Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa, kuti ndiende kundobvunza kwaari.” Ivo vakati, “Kuno mumwe ari paEndori.” Saka Sauro akazvivanza akafuka dzimwe nguo, akaenda iye navamwe varume vaviri kumukadzi uyu usiku. Akati kwaari, “Ndibvunzire mweya, ugondimutsirawo uyo wandichakuudza.” Asi mukadzi akati kwaari, “Zvirokwazvo unoziva iwe zvakaitwa naSauro. Akauraya masvikiro navauki kubva panyika. Ko, waisirei musungo muupenyu hwangu kuti undiurayise?” Sauro akamupikira naJehovha akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, haungazorangwi pamusoro paizvozvi.” Ipapo mukadzi akabvunza akati, “Ndianiko wandichakumutsira?” Iye akati, “Ndimutsire Samueri.” Mukadzi akati achiona Samueri, akadanidzira nenzwi guru akati kuna Sauro, “Seiko mandinyengera? Ndimi Sauro!” Mambo akati kwaari, “Usatya. Uri kuoneiko?” Mukadzi akati, “Ndinoona mweya uchikwira uchibuda pasi.” Iye akati, “Akaita seiko?” Akati, “Murume mutana akafuka nguo ari kuuya.” Ipapo Sauro akaziva kuti akanga ari Samueri, akakotamira pasi nechiso chake. Samueri akati kuna Sauro, “Seiko wanditambudza nokundimutsa?” Sauro akati, “Ndiri kutambudzika zvikuru. VaFiristia vari kurwa neni, uye Mwari abva kwandiri. Haachandipinduri, navaprofita kana nokurota. Saka ndakudanai imi kuti muzondiudza zvokuita.” Samueri akati, “Unondibvunzireiko ini, sezvo zvino Jehovha akabva kwauri akava muvengi wako? Jehovha akaita zvaakataura kare kubudikidza neni. Jehovha akabvarura umambo akahubvisa mumaoko ako akahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna Dhavhidhi. Nokuti hauna kuteerera Jehovha, kana kuratidza hasha dzake dzinotyisa pamusoro peAmareki, Jehovha azviita izvi nhasi kwauri. Jehovha achaisa vaIsraeri pamwe chete newe kuvaFiristia, uye mangwana iwe navanakomana vako muchava neni. Jehovha achaisazve hondo yavaIsraeri kuvaFiristia.” Pakarepo Sauro akawira pasi akazvambarara, azara nokutya nokuda kwamashoko aSamueri. Simba rake rakapera, nokuti akanga asina chaakanga adya zuva rose nousiku hwose. Mukadzi paakaenda pana Sauro akaona kuti akanga avhundutswa kwazvo, akati kwaari, “Tarirai, murandakadzi wenyu akakuteererai. Ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikaita zvamakandiudza kuti ndiite. Zvino, ndapota teererai muranda wenyu, regai ndikupei zvokudya kuti mudye mugowana simba rokufamba parwendo rwenyu.” Iye akaramba akati, “Handidi kudya.” Asi vanhu vake vakabatsirana nomukadzi pakumugombedzera, uye akavanzwa. Akasimuka akagara panhoo. Mukadzi akanga ane mhuru yakakodzwa pamba pake, uye akaiuraya pakarepo. Akatora upfu hwegorosi akahukanya akabika chingwa chisina mbiriso. Ipapo akazviisa pamberi paSauro navanhu vake, ivo vakadya. Usiku ihwohwo vakasimuka vakaenda. VaFiristia vakaunganidza varwi vavo paAfeki, uye vaIsraeri vakadzika musasa patsime raiva paJezireeri. Vatongi vavaFiristia pavaifamba namapoka avo amazana mazana uye ezviuru zviuru, Dhavhidhi navanhu vake vaifamba vari mushure maAkishi. Vakuru vehondo yavaFiristia vakabvunza vakati, “Ko, vaHebheru ava vanodei?” Akishi akapindura akati, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi, akanga ari muchinda waSauro mambo weIsraeri here? Anga agere neni kwenguva inopfuura gore, uye kubva pazuva raakabva kuna Sauro kusvikira zvino, handina kuwana chakaipa maari.” Asi vakuru vehondo yavaFiristia vakamutsamwira vakati, “Dzosai munhu uyu kwakare, kuti adzokere kunzvimbo yamakamurayira kuti agare. Haafaniri kuenda nesu kuhondo kuitira kuti arege kutipindukira tiri pakurwa. Zvingava nani kwaari kuti awane nyasha kuna tenzi wake ndezvipiko, hakuzi kuti agure misoro yavanhu vedu here? Ko, uyu handiye Dhavhidhi wavakaimba pamusoro pake vachitamba vachiti: “ ‘Sauro akauraya zviuru zvake, uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’?” Saka Akishi akadana Dhavhidhi akati kwaari, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe wanga wakavimbika, uye ini ndaifara kuti iwe ushande neni muhondo. Kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira iye zvino, handina kuwana chakaipa mauri, asi madzishe haabvumirani newe. Chidzoka hako kwakare norugare; urege kuita chinhu chisingafadzi madzishe avaFiristia.” Dhavhidhi akamubvunza akati, “Asi ndaiteiko hangu? Makawaneiko chakaipa kumuranda wenyu kubva pazuva randakasvika kwamuri kusvikira zvino? Ndinoregereiko kundorwa navavengi vashe wangu mambo?” Akishi akati, “Ndinoziva kuti wanga uchifadza pamberi pangu somutumwa waMwari; asi zvazvo, vakuru vehondo yavaFiristia vati, ‘Iye haafaniri kuenda nesu kuhondo.’ Zvino muka mangwanani-ngwanani, pamwe chete navaranda vatenzi wako avo vakauya newe, ugobva achiri mangwanani pakunotanga kuchena.” Saka Dhavhidhi navanhu vake vakamuka mangwanani-ngwanani kuti vadzokere kunyika yavaFiristia, uye vaFiristia vakakwira kuJezireeri. Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi pazuva retatu. Zvino vaAmareki vakanga vakomba Negevhi neZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi vakaripisa, uye vakanga vatapa vakadzi navose vakanga varimo, vose vakuru navaduku. Havana wavakauraya, asi vakavatora vakaenda navo. Dhavhidhi navanhu vake vakati vasvika kuZikiragi, vakariwana raparadzwa nomoto, uye vakadzi vavo navanakomana navanasikana vavo vakanga vatapwa. Saka Dhavhidhi navanhu vake vakachema kwazvo kusvikira vapererwa nesimba rokuchema. Vakadzi vaDhavhidhi vari vaviri vakanga vatapwa, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri. Dhavhidhi akatambudzika zvikuru nokuti vanhu vakanga vachitaura zvokuda kumutaka namabwe; mumwe nomumwe akanga ane shungu mumweya make nokuda kwavanakomana navanasikana vake. Asi Dhavhidhi akawana simba muna Jehovha Mwari wake. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari muprista, mwanakomana waAhimereki, “Ndivigirevo efodhi kuno.” Abhiatari akaenda nayo kwaari, ipapo Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ndingatevera here vapambi ava? Ndichavabata here?” Akapindura akati, “Vatevere. Zvirokwazvo uchavabata uye uchakunda mukuvanunura.” Dhavhidhi navarume mazana matanhatu vaiva naye vakasvika parukova rweBhesori, vamwe vakasara ipapo, nokuti varume mazana maviri vakanga vaneta kwazvo kuti vayambuke rukova. Asi Dhavhidhi namazana mana avarume vakaramba vachitevera. Vakawana muIjipita ari mumunda ndokubva vauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa mvura yokunwa nezvokudya kuti adye, chimedu chekeke ramaonde akaoma uye makeke maviri amazambiringa akaomeswa. Akadya akasimba, nokuti akanga asina kudya chipi zvacho kana kunwa mvura kwamazuva matatu nousiku hutatu. Dhavhidhi akamubvunza akati, “Uri waaniko iwe, uye unobvepi?” Iye akati, “Ndiri muIjipita, mutapwa womumwe muAmareki. Tenzi wangu akandisiya pandakanga ndorwara mazuva matatu apfuura. Takapamba Zasi kwenyika yavaKereti uye nenyika yeJudha neZasi kwenyika yaKarebhu. Uye takapisa Zikiragi.” Dhavhidhi akamubvunza akati, “Ungagona kunditungamirira here kuti ndiburuke ndiende kuvapambi ava.” Iye akapindura akati, “Ndipikirei pamberi paMwari kuti hamuzondiurayi kana kundiisa kuna tenzi wangu, ini ndigokutungamirirai kwavari.” Akatungamirira Dhavhidhi ikoko, vakavawana vakapararira munzvimbo yose, vachidya, vachinwa uye vachifara nokuda kwokuwanda kwezvavakanga vapamba kubva munyika yavaFiristia nokuJudha. Dhavhidhi akarwa navo panguva yorubvunzavaeni kusvikira madekwana ezuva rakatevera, uye hakuna mumwe wavo akapunyuka, kunze kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza. Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki, pamwe chete navakadzi vake vaviri. Hakuna chakashayikwa: vaduku navakuru, mukomana kana musikana, chakapambwa kana chipi zvacho chavakanga vatora. Dhavhidhi akadzosa zvose. Akatora makwai ose nemombe dzose, uye vanhu vake vakazvitinha mberi kwezvimwe zvipfuwo, achiti, “Izvi ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.” Ipapo Dhavhidhi akasvika kuvarume vaya mazana maviri vakanga vaneta kwazvo pakumutevera uye vakanga vasiyiwa mumashure parukova rweBhesori. Vakabuda kuti vazosangana naDhavhidhi uye navanhu vakanga vanaye. Dhavhidhi navanhu vake vakati vaswedera kwavari, vakavakwazisa. Asi vanhu vose vakaipa nevemhirizhonga pakati pavateveri vaDhavhidhi vakati, “Nemhaka yokuti havana kuenda nesu, hatidi kugovana navo zvatakapamba zvatakawana. Kunyange zvakadaro, murume mumwe nomumwe ngaatore hake mukadzi wake navana aende.” Dhavhidhi akati, “Kwete hama dzangu, hamufaniri kuita izvozvo pane zvatakapiwa naJehovha. Ndiye akatidzivirira akaisa mumaoko edu varwi vakauya kuzorwa nesu. Ndianiko achateerera kune zvamunoreva? Mugove womunhu akasara achichengeta nhumbi unofanira kuva wakaenzana nowouyo akaenda kuhondo.” Dhavhidhi akaita izvi kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsraeri kubva pazuva iroro kusvikira nhasi. Dhavhidhi akati asvika muZikiragi, akatumira zvimwe zvezvakapambwa kuvakuru veJudha, avo vakanga vari shamwari dzake, achiti, “Hecho chipo chenyu chamapiwa chabva pane zvakapambwa zvavavengi vaJehovha.” Akachitumira kuna vaya vakanga vari muBheteri, Ramoti Negevhi neJariri; kuna avo vakanga vari muAroeri, Sifimoti, Eshitemoa neRakari; kuna avo vakanga vari mumaguta avaJerameeri navaKeni; kuna avo vakanga vari muHorima, Bhori Ashani, Ataki neHebhuroni; uye kuna avo vakanga vari mune dzimwe nzvimbo dzose dzakanga dzafambwa naDhavhidhi navanhu vake. Zvino vaFiristia vakarwa navaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, uye vazhinji vakawira pasi vaurayiwa paGomo reGiribhoa. VaFiristia vakasimbirira kwazvo kuteverera Sauro navanakomana vake, uye vakauraya vanakomana vake, Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua. Hondo yakapisa pakanga pana Sauro, uye vapfuri vouta vakati vasvika pedyo naye, vakamukuvadza zvakaipisisa. Sauro akati kune aibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Vhomora munondo wako undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakandibaya uye vakandidadira.” Asi mubati wenhumbi dzake akatya akasazviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri. Mubati wenhumbi dzake dzokurwa akati aona kuti Sauro afa, iyewo akawira pamunondo wake akafa. Saka Sauro navanakomana vake vatatu nomubati wenhumbi dzake dzokurwa uye navanhu vake vose vakafa pamwe chete pazuva iroro. VaIsraeri vaiva mumupata navose vaiva mhiri kweJorodhani vakati vaona kuti hondo yavaIsraeri yakanga yatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Saka vaFiristia vakauya vakagaramo. Fume mangwana, vaFiristia vakati vachiuya kuzobvisa zvitunha, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakawirawo pasi vakafa paGomo reGiribhoa. Vakagura musoro wake vakabvisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kundozivisa mashoko aya kutemberi yezvifananidzo zvavo uye napakati pavanhu vavo. Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa mutemberi yaAshitoreti vakasungirira chitunha chake pamasvingo eBheti Shani. Vanhu vokuJabheshi Gireadhi vakati vanzwa zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro, mhare dzavo dzose dzakasimuka dzikafamba usiku hwose dzichienda kuBheti Shani. Vakaburutsa mitumbi yaSauro navanakomana vake kubva pamasvingo eBheti Shani vakaenda kuJabheshi, kwavakandoipisa. Ipapo vakatora mapfupa avo vakaaviga pasi pomuti womutamariki paJabheshi, uye vakatsanya kwamazuva manomwe. Mushure mokufa kwaSauro, Dhavhidhi akadzoka kubva kuhondo yaakakunda vaAmareki uye akagara paZikiragi kwamazuva maviri. Pazuva rechitatu mumwe murume akasvika achibva kumusasa waSauro, zvipfeko zvake zvakabvaruka uye musoro wake uzere guruva. Paakasvika paiva naDhavhidhi, akazviwisira pasi achiratidza rukudzo. Dhavhidhi akabvunza akati, “Wabvepiko?” Iye akapindura akati, “Ndapunyuka kumisasa yavaIsraeri.” Dhavhidhi akabvunza akati, “Chii chaitika ikoko? Ndiudze.” Iye akati, “Vanhu vatiza kubva pavanga vachirwira. Vazhinji vavo vafa. Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafa.” Ipapo Dhavhidhi akabvunza jaya rakanga rauya neshoko iri akati, “Unoziva sei kuti Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafa?” Jaya riya rakati, “Ini ndakanga ndiri pamusoro peGomo reGiribhoa, uye ndikaona Sauro akasendamira papfumo rake, ipapo ngoro dzavarwi navatasvi zvaivirima zvotosvika paari. Zvino iye akati acheuka akandiona, akandidana, ini ndikati, ‘Ndiri pano?’ “Akandibvunza akati, ‘Ndiwe aniko?’ “Ndakamupindura ndikati, ‘Ndiri muAmareki.’ “Ipapo iye akati kwandiri, ‘Uya umire pandiri undiuraye! Ndiri mukurwadziwa kukuru asi ndichiri mupenyu.’ “Naizvozvo ndakamira paari ndikamuuraya, nokuti ndaiziva kuti mushure mokunge awira pasi haaizorarama. Uye ndakatora korona yakanga iri mumusoro make norundarira rwaiva muruoko rwake, uye ndauya nazvo kuno kuna ishe wangu.” Ipapo Dhavhidhi navarume vose vaakanga anavo vakabata nguo dzavo vakadzibvarura. Vakachema nokuungudza vakazvinyima zvokudya kusvikira manheru nokuda kwaSauro nomwanakomana wake Jonatani, uye nokuda kwehondo yaJehovha neimba yaIsraeri, nokuti vakanga vaurayiwa nomunondo. Dhavhidhi akati kujaya rakanga rauya neshoko kwaari, “Iwe unobvepiko?” Akapindura akati, “Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.” Dhavhidhi akamubvunza akati, “Sei iwe usina kutya kusimudza ruoko rwako uchiparadza muzodziwa waJehovha?” Ipapo Dhavhidhi akadana mumwe wavarume vaaiva navo akati, “Enda, umuuraye!” Naizvozvo akamubaya, akafa. Nokuti Dhavhidhi akanga ati kwaari, “Ropa rako ngarive pamusoro pako. Muromo wako ndiwo wazvipupurira pawati, ‘Ndauraya muzodziwa waJehovha.’ ” Dhavhidhi akaimba rwiyo urwu rwokuchema Sauro nomwanakomana wake Jonatani, uye akarayira kuti vanhu veJudha vadzidziswe rwiyo urwu rwouta (rwakanyorwa mubhuku raJashari): “Haiwa Israeri, kubwinya kwako kwaparadzwa pamitunhu yako yakakwirira. Haiwa, vane simba wawira pasi sei! “Musazvireva muGati, musazviparidza mumigwagwa yeAshikeroni, kuti vanasikana vavaFiristia vasazofara, kuti vanasikana vevasina kudzingiswa varege kupembera. “Haiwa imi makomo eGiribhoa, ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda inobereka zviyo zvakawanda. Nokuti ipapo ndipo pakasvibiswa nhoo yemhare, iyo nhoo yaSauro, isisina kuzorwa mafuta. Kubva muropa ravakaurayiwa, kubva munyama yemhare, uta hwaJonatani hahuna kudzoka, munondo waSauro hauna kudzoka usina kugutswa. “Sauro naJonatani, muupenyu vaidikanwa uye vakanaka, nomurufu havana kuparadzaniswa. Vaimhanya kupfuura makondo, vaiva vakasimba kupfuura shumba. “Haiwa vanasikana veIsraeri, chemai nokuda kwaSauro, iye aikupfekedzai zvishongo zvitsvuku uye zvakaisvonaka, aishongedza nguo dzenyu nezvishongo zvegoridhe. “Haiwa vane simba vawira pasi sei muhondo! Jonatani avete aurayiwa pamitunhu yenyu yakakwirira. Ndiri kutambudzika kwazvo pamusoro pako, Jonatani munun'una wangu; wakanga uchikosha kwazvo kwandiri. Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaishamisa kudarika rwavakadzi. “Haiwa vane simba vakawira pasi sei! Zvombo zvehondo zvaparadzwa!” Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ko, ndoenda zvangu kune rimwe ramaguta eJudha here?” Jehovha akapindura akati, “Enda hako.” Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndoenda kupi?” Jehovha akapindura akati, “KuHebhuroni.” Naizvozvo Dhavhidhi akaendako navakadzi vake vaviri, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri. Dhavhidhi akatorawo varume vose vaaiva navo, mumwe nomumwe nemhuri yake, akandogara muHebhuroni nomumaguta omo. Ipapo varume veJudha vakauya paHebhuroni vakazodzapo Dhavhidhi kuti ave mambo weimba yaJudha. Zvino Dhavhidhi paakanzwa kuti varume veJabhesi Gireadhi ndivo vakanga vaviga Sauro, akatuma nhume kuvarume veJabheshi Gireadhi kuti dzinoti kwavari, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuti makaratidza tsitsi pana Sauro tenzi wenyu pakumuviga kwamakamuita. Zvino Jehovha ngaachikuitirai tsitsi nokutendeka, uye neniwo ndichakuitirai zvimwe chetezvo nokuti imi makaita izvozvi. Naizvozvo ivai nesimba nokutsunga, nokuti Sauro tenzi wenyu afa, uye imba yaJudha yandizodza kuti ndive mambo wavo.” Zvichakadaro, Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, akanga atora IshiBhosheti mwanakomana waSauro, akandomuisa kuMahanaimu. Akamugadza kuti ave mambo weGireadhi, Ashuri neJezireeri, uyewo pamusoro peEfuremu, Bhenjamini neIsraeri yose. Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro akanga ava namakore makumi mana paakava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore maviri. Kunyange zvakadaro, imba yaJudha yakatevera Dhavhidhi. Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni yaisvika makore manomwe nemwedzi mitanhatu. Abhineri mwanakomana waNeri, pamwe chete navaranda vaIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, vakabva paMahanaimu vakaenda kuGibheoni. Joabhu mwanakomana waZeruya navaranda vaDhavhidhi vakandosangana navo padziva reGibheoni. Vakagara pasi mhiri kwedziva, rimwe boka ndokugara kuno rumwe rutivi. Ipapo Abhineri akati kuna Joabhu, “Ngatiitei kuti mamwe majaya edu asimuke arwe namaoko pamberi pedu.” Joabhu akati, “Zvakanaka, ngavaite izvozvo.” Naizvozvo vakasimuka vakaverengwa varume gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshiBhosheti mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri kurutivi rwaDhavhidhi. Ipapo mumwe nomumwe akabata musoro wewaairwa naye ndokumubaya nebakatwa parutivi pake, vose ndokuwira pasi. Naizvozvo nzvimbo iyoyo iri muGibheoni yakatumidzwa kuti Herikati Hazurimi. Kurwa kwezuva iroro kwakatyisa kwazvo, uye Abhineri navarume veIsraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi. Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo vaiti: Joabhu, Abhishai naAsaheri. Zvino Asaheri aimhanya zvikuru kwazvo sechengu. Akadzinganisa Abhineri, asingambotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe paaimudzingirira. Abhineri akacheuka akabvunza akati, “Ndiwe here, Asaheri?” Iye akapindura akati, “Ndini.” Ipapo Abhineri akati kwaari, “Enda kurudyi kana kuruboswe; ubate rimwe ramajaya uritorere zvombo zvaro.” Asi Asaheri haana kurega kumudzinganisa. Abhineri akayambira Asaheri zvakare akati, “Chirega zvokundidzinganisa! Unodirei kuti ndikuuraye? Ndingazotarisana sei nomukoma wako Joabhu?” Asi Asaheri akaramba achingomudzinganisa. Naizvozvo Abhineri akabaya Asaheri padumbu neshure kwepfumo rake, pfumo rikabuda nokumusana. Akawira ipapo ndokubva afa. Uye munhu wose aimira kana angosvika chete panzvimbo pakanga pawira Asaheri akafa. Asi Joabhu naAbhishai vakatevera Abhineri, uye zuva rakati ronovira, vakasvika pachikomo cheAma, pedyo neGiya munzira inoenda kurenje reGibheoni. Ipapo varume veBhenjamini vakaungana vachitungamirirwa naAbhineri. Vakaumba boka rimwe vakamira pamusoro pechikomo. Abhineri akadanidzira kuna Joabhu achiti, “Ko, munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauoni kuti izvi zvichavava pakupedzisira here? Uchasvika kupiko usati warayira vanhu vako kuti varege kudzinganisana nehama dzavo?” Naizvozvo akapindura akati, “Ndinopika naMwari mupenyu, dai wanga usina kuzvitaura, varume ava vangadai varamba vachidzinganisa hama dzavo kusvikira mangwana mangwanani.” Naizvozvo Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vose vakamira; vakarega kudzinganisa vaIsraeri, vakasazorwazve. Abhineri navanhu vake vakafamba nousiku hwose vakagura nomuArabha. Vakayambuka Jorodhani, ndokuramba vachienda nomuBhitironi rose vachibva vasvika paMahanaimu. Ipapo Joabhu akadzoka kubva mukudzinganisa Abhuneri ndokuunganidza vanhu vake vose. Pasingaverengerwi Asaheri, kwakashayikwa varume gumi navapfumbamwe vedivi raDhavhidhi. Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vauraya vaBhenjamini mazana matatu ana makumi matanhatu vaiva naAbhuneri. Vakatora Asaheri vakandomuviga muguva rababa vake paBheterehema. Ipapo Joabhu navanhu vake vakafamba usiku hwose uye vakandosvika paHebhuroni mambakwedza. Hondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi yakatora nguva refu isati yapera. Dhavhidhi akaramba achisimba asi imba yaSauro yakaramba ichipererwa nesimba. Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni: Dangwe rake raiva Amunoni mwanakomana waAbhinoami weJezireeri; wechipiri, Kiriabhu mwanakomana waAbhigairi chirikadzi yaNabhari weKarimeri; wechitatu, Abhisaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri; wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti; wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari; uye wechitanhatu, Itireamu mwanakomana womukadzi waDhavhidhi Egira. Ava ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni. Munguva yehondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akanga achisimbisa chinzvimbo chake muimba yaSauro. Zvino Sauro aiva nomukadzi womurongo ainzi Rizipa mwanasikana waAiya. Uye Ishi-Bhosheti akati kuna Abhineri, “Wakararirei nomurongo wababa vangu?” Abhineri akatsamwa zvikuru nezvakanga zvataurwa naIshi-Bhosheti ndokupindura achiti, “Ko, ndiri musoro wembwa kurutivi rwaJudha here? Nhasi uno ndakatendeka, kuimba yababa vako Sauro nokumhuri yake zvose neshamwari dzake. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Kunyange zvakadaro iye zvino unondipomera mhaka pamusoro pomukadzi uyu! Mwari ngaarove Abhineri, zvive zvinorwadza kwazvo, kana ndikasaitira Dhavhidhi izvo zvaakapikirwa naJehovha nokubvisa umambo muimba yaSauro ndichisimbisa chigaro choushe chaDhavhidhi pamusoro peIsraeri neJudha kubva paDhani kusvikira kuBheerishebha.” Ishi-Bhosheti haana kuzomboti bufuzve kuna Abhineri, nokuti akanga ava kumutya. Ipapo Abhineri akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuti dzindopa mashoko ake okuti, “Ko, nyika ino ndeyani? Itai sungano neni, uye ini ndichakubatsirai kuti Israeri yose iuye kwamuri.” Dhavhidhi akati, “Zvakanaka, ndichaita sungano newe. Asi ndinoda chinhu chimwe chete kubva kwauri: Usasvika pamberi pangu kunze kwokunge wauya naMikari mwanasikana waSauro paunouya kuzondiona.” Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro, kundoti, “Ndipe Mikari mudzimai wangu, wandakatsidzirana naye nezvikanda zvokudzingiswa zvapamberi zvavaFiristia vane zana.” Naizvozvo Ishi-Bhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri mwanakomana waRaishi. Zvisinei, murume wake akamuperekedza, achichema ari mumashure make dakara vanosvika kuBhahurimi. Ipapo Abhineri akati kwaari, “Dzokera kumba!” iye ndokudzokera hake. Abhineri akakurukura navakuru veIsraeri akati, “Pava nenguva muchida kugadza Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu. Saka chizviitai iye zvino! Nokuti Jehovha akavimbisa Dhavhidhi achiti, ‘Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichanunura vanhu vangu Israeri kubva muruoko rwavavengi vavo vose.’ ” Abhineri akataura navaBhenjamini pachake. Ipapo akabva akaenda kundoudza Dhavhidhi paHebhuroni zvose zvakanga zvichida kuzoitwa navaIsraeri neimba yose yaBhenjamini. Zvino Abhineri, uyo akanga ana varume makumi maviri, akati asvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, Dhavhidhi akamugadzirira mabiko pamwe chete navarume vaaiva navo. Ipapo Abhineri akati kuna Dhavhidhi, “Nditenderei kuti ndiende iye zvino ndinounganidzira ishe wangu mambo Israeri yose, kuti vaite sungano nemi, uye kuti mubate ushe pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wenyu.” Saka Dhavhidhi akaendesa Abhineri, iye akaenda norugare. Panguva iyoyo varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka kubva kundopamba uye vakauya nezvakawanda zvavakanga vapamba. Asi Abhineri akanga achisiri pamwe naDhavhidhi muHebhuroni, nokuti Dhavhidhi akanga amutendera kuenda, uye akanga aenda norugare. Joabhu paakasvika navarwi vose vaaiva navo, akaudzwa kuti Abhineri mwanakomana waNeri akanga auya kuna mambo uye kuti mambo akanga amutendera kuti aende uye akanga aenda norugare. Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo akati, “Ko, chii chamaita? Tarirai, Abhineri akauya kwamuri. Ko, makaregerei achienda? Zvino atoenda zvake! Munomuziva imi Abhuneri mwanakomana waNeri; anga auya kuzokunyengerai uye kuzoongorora mafambiro enyu nokusora zvose zvamuri kuita.” Ipapo Joabhu akabva pana Dhavhidhi ndokutumira nhume kuti dzitevere Abhineri, uye vakadzoka naye kubva patsime reSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva. Kuzoti Abhineri adzoka paHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi, pakati pesuo sokunge aida kutaura naye muchivande. Zvino ipapo, kuti atsive ropa raAsaheri munun'una wake, Joabhu akamubaya padumbu, ndokubva afa. Shure kwokunge Dhavhidhi anzwa nezvazvo, akati, “Ini noushe hwangu hatina mhosva nokusingaperi pamberi paJehovha pamusoro peropa raAbhuneri mwanakomana waNeri. Ropa rake ngarive pamusoro waJoabhu nepaimba yababa vake yose! Imba yaJoabhu ngairege kushaya munhu ane ronda risingapori, kana ana maperembudzi, kana anofamba nomudonzvo, kana anourayiwa nomunondo, kana anoshayiwa zvokudya.” (Joabhu nomunun'una wake Abhishai vakaponda Abhineri nokuti akanga auraya Asaheri munun'una wavo muhondo paGibheoni.) Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu navanhu vose vaiva naye, “Bvarurai nguo dzenyu mupfeke masaga mufambe muchiungudza pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi pachake akafamba ari shure kwengoro yaiva nechitunha. Vakaviga Abhineri paHebhuroni, uye mambo akaridza mhere paguva raAbhineri. Vanhu vose vakachemawo. Mambo akaimba rwiyo urwu rwokuchema Abhineri: “Ko, Abhineri aifanira kufa nomufiro webenzi here? Maoko ako akanga asina kusungwa, makumbo ako akanga asina kuiswa mumatare. Wakafa sokufa kwomunhu anofira pamberi pavanyangadzi.” Uye vanhu vose vakamuchemazve. Ipapo vose vakauya vakagombedzera Dhavhidhi kuti awane chaangadya achiri masikati; asi Dhavhidhi akaita mhiko, achiti, “Mwari ngaandirove, uye zvakanyanyisa, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva risati ravira!” Vanhu vose vakazviona uye vakafara; zvirokwazvo, chose chakaitwa namambo chakavafadza. Naizvozvo musi uyu vanhu vose neIsraeri yose, vakaziva kuti mambo akanga asingatenderani nokuurayiwa kwaAbhineri mwanakomana waNeri. Ipapo mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi kwafa jinda uye munhu anokosha muIsraeri? Uye kuti nhasi, kunyange ndiri mambo akazodzwa, handina simba, uye vanakomana vaZeruya ava vava nesimba kupfuura ini. Jehovha ngaaripire munyangadzi zvinoenderana nokuipa kwamabasa ake!” Zvino Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri akanga afa paHebhuroni, akapererwa nesimba, uye Israeri yose yakavhunduka. Zvino mwanakomana waSauro akanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka avapambi. Mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhu; vakanga vari vanakomana vaRimoni muBheeroti aibva kurudzi rwaBhenjamini (Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini, nokuti vanhu veBheeroti vakatizira kuGitaimu uye vakagarako savatorwa kusvikira nhasi.) Jonatani mwanakomana waSauro aiva nomwanakomana aiva chirema makumbo ose. Aiva namakore mashanu panguva yakasvika shoko pamusoro paSauro naJonatani richibva kuJezireeri. Mureri wake akamusimudza akatiza, asi paaimhanya kuti aende, mwana akadonha akabva aremara. Zita rake ainzi Mefibhosheti. Zvino Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti, vakabuda vakananga kumba kwa Ishi-Bhosheti, vakasvikako masikati zuva richipisa iye ari pakuzorora kwake kwamasikati. Vakapinda mukati memba vachiita sevanondotora gorosi, ndokubva vamubaya napadumbu. Ipapo Rekabhu nomunun'una wake Bhaana vakabva vatiza. Vakanga vapinda mumba panguva yaakanga akarara pamubhedha wake muimba yokurara. Pavakamubaya vakamuuraya, ndokugura musoro wake. Vakautora, ndokufamba usiku nenzira yeArabha. Vakandosvika nomusoro wa IshiBhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu, uyo aida kutora upenyu hwenyu. Nhasi Jehovha atsivira ishe wangu mambo pamusoro paSauro navana vake.” Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uyo akandinunura munjodzi dzose, pandakaudzwa nomumwe murume kuti, ‘Sauro afa,’ iye achifunga kuti ari kuuya nenhau dzakanaka, ndakamubata ndikamuuraya paZikiragi. Ndiwo mubayiro wandakamupa pamashoko ake! Ko, zvino zvichava sei, kana vanhu vakaipa vachinge vauraya munhu asina mhosva mumba make uye ari pamubhedha wake, handingatsvaki ropa rake pamaoko enyu here, kuti ndikubvisei panyika!” Saka Dhavhidhi akarayira majaya ake, ivo vakavauraya. Vakadimura maoko namakumbo avo ndokurembedza miviri yavo padziva reHebhuroni. Asi vakatora musoro wa Ishi-Bhosheti vakandouviga muguva raAbhineri paHebhuroni. Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, “Tiri nyama yenyu neropa renyu. Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Zvino Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, uye uchava mutongi wavo.’ ” Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, mambo akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga kwamakore makumi mana. MuHebhuroni akatonga Judha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu, uye muJerusarema akatonga Israeri yose neJudha kwamakore makumi matatu namatatu. Mambo navanhu vakafamba vachienda kuJerusarema kundorwisa vaJebhusi, vaigarako. VaJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Haungapindi muno; kunyange mapofu kana zvirema vanokwanisa kukudzinga.” Vakafunga pachavo vachiti, “Dhavhidhi haambokwanisi kupinda muno.” Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi. Pazuva iro, Dhavhidhi akati, “Wose anoda kukunda vaJebhusi ngaatange apinda nomugero wemvura kuti asvike pane ‘zvirema namapofu’ vanova ndivo vavengi vaDhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “ ‘Mapofu nezvirema’ vasapinda muimba yaMambo.” Dhavhidhi akagara munhare uye akaitumidza kuti Guta raDhavhidhi. Akavaka nzvimbo yose yakaipoteredza, kubva panheyo dzaitsigira rusvingo zvichipinda mukati. Simba rake rakaramba richiwedzerwa, nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose aiva naye. Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda omusidhari, navavezi navavaki vanoshandisa matombo uye vakavakira Dhavhidhi muzinda. Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo weIsraeri uye akanga asimudzira umambo hwake nokuda kwavanhu vake Israeri. Mushure mokunge abva paHebhuroni, Dhavhidhi akazvitorera vamwe varongo navakadzi muJerusarema, uye akaberekerwa vamwe vanakomana navanasikana. Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shobhabhi, Natani, Soromoni, Ibhari, Erishua, Shamua, Nefegi, Jafia, Erishama, Eriadha naErifereti. VaFiristia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakakwira vose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa ndokubva aburukira kunhare. Zvino vaFiristia vakanga vauya vakapararira muMupata weRefaimu. Saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFiristia? Ko, muchavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akamupindura akati, “Enda, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFiristia mumaoko ako.” Naizvozvo Dhavhidhi akaenda kuBhaari Perazimu, uye ikoko akavakunda. Akati, “Sokupaza kunoita mvura, Jehovha apaza vavengi vangu pamberi pangu.” Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Bhaari Perazimu. VaFiristia vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo. VaFiristia vakadzokazve uye vakapararira muMupata weRefaimu; saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha, iye akapindura akati, “Musakwira makavananga, asi potererai nokumashure kwavo ugovarwisa mberi kwemiti yemibharisamu. Pamunongonzwa ruzha rwokufamba kwavanhu pamusoro pemiti yemibharisamu, mubve mafamba nokukurumidza, nokuti zvichareva kuti Jehovha aenda mberi kwenyu kuti aparadze hondo yavaFiristia.” Naizvozvo Dhavhidhi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha, uye akaparadza vaFiristia kubva paGibheoni kusvika kuGezeri. Dhavhidhi akaunganidza zvakare varume veIsraeri vakanga vasarudzwa, vaisvika makumi matatu ezviuru. Akasimuka akaenda navanhu vose vaakanga anavo kuBhaara reJudha, kundotora areka yaMwari kubva ikoko, iyo inodanwa neZita, iro zita raJehovha Wamasimba Ose, agere pakati pamakerubhi ari pamusoro peareka. Vakaisa areka yaMwari mungoro itsva uye vakauya nayo kubva kumba kwaAbhinadhabhu, pachikomo. Uza naAhio, vanakomana vaAbhinadhabhu, ndivo vakanga vachifambisa ngoro itsva iyi areka yaMwari iri pamusoro payo, uye Ahio akanga achifamba mberi kwayo. Dhavhidhi neimba yose yeIsraeri vakapemberera Jehovha nesimba ravo rose, vachiimba nokuridza zviridzwa zvamarudzi ose zvomusipuresi, rudimbwa, mbira, matamborini, ngoma dzamatare namakandira. Vakati vasvika paburiro raNakoni, Uza akatambanudza ruoko rwake ndokubata areka yaMwari, nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa. Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro paUza nokuda kwokutadza kwake; naizvozvo Mwari akamuuraya ipapo parutivi peareka yaMwari. Ipapo Dhavhidhi akatsamwa nokuti Jehovha akanga atsamwira Uza, nokudaro kusvika zvino nzvimbo iyi inodaidzwa kuti Perezi Uza. Dhavhidhi akatya Jehovha pazuva iri uye akati, “Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?” Haana kuda kutora areka yaJehovha kuti aende nayo kuGuta raDhavhidhi. Asi akaitsautsira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti. Areka yaJehovha yakagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti kwemwedzi mitatu, Jehovha akamuropafadza iye neimba yake yose. Zvino Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaanazvo, nokuda kweareka yaMwari.” Saka Dhavhidhi akaburuka akandotora areka yaMwari kubva muimba yaObhedhi-Edhomu akakwira nayo kuGuta raDhavhidhi achipemberera nomufaro. Zvino avo vakanga vakatakura areka yaJehovha vaiti vakafamba nhambwe nhanhatu, vobayira nzombe nemhuru yakakodzwa. Dhavhidhi, akapfeka efodhi yomucheka, akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose, iye neimba yaIsraeri yose vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda. Areka yaJehovha payakanga yopinda muGuta raDhavhidhi, Mikari mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye paakaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumwoyo make. Vakasvika neareka yaJehovha vakaigadzika panzvimbo yayo mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, uye Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha. Zvino akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha Wamasimba Ose. Ipapo akazotorazve chingwa, keke ramadheti nekeke ramazambiringa akaomeswa akazvipa kuno mumwe nomumwe weungano yose yavaIsraeri, varume navakadzi. Uye vanhu vose vakaenda kudzimba dzavo. Dhavhidhi paakadzokera kumba kuti andoropafadza veimba yake, Mikari mwanasikana waSauro akabuda kundosangana naye akati, “Mambo weIsraeri azvikudza sei nhasi, zvaabvisa nguo dzoushe pamberi pavarandakadzi vavaranda vake sezvinoitwa nebenzi ripi zvaro.” Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndazviita pamberi paJehovha, iye akandisarudza pachinzvimbo chababa vako kana mumwe munhu upi zvake muimba yake uye akandiita kuti ndive mutongi wavanhu vaJehovha, vaIsraeri; naizvozvo ndichapembera pamberi paJehovha. Ndichazvideredza kupfuura izvi, uye ndichazvininipisa pachangu. Asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.” Uye Mikari mwanasikana waSauro haana kubereka vana kusvikira pazuva rokufa kwake. Zvino mambo akati agara mumuzinda wake uye Jehovha amupa zororo kubva kuvavengi vake vose vaiva vakamupoteredza, akati kuna Natani muprofita, “Tarira ndiri pano ndigere mumuzinda wakavakwa nemisidhari, asi areka yaMwari igere mutende.” Natani akapindura mambo akati, “Endai mberi muite zvose zvamunazvo mupfungwa dzenyu, nokuti Jehovha anemi.” Usiku ihwohwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti: “Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiwe here ungandivakira imba yandingagara? Ini handina kumbogara mumba kubva zuva randabudisa vaIsraeri muIjipiti kusvikira nhasi. Ndanga ndichifamba munzvimbo nenzvimbo ndichigara mutende. Pose pandaifamba navaIsraeri vose, ndakamboti here kuno mumwe wavatongi vavo vandakarayira kuti vafudze vanhu vangu vaIsraeri, “Makaregerei kundivakira imba yemisidhari?”’ “Naizvozvo zvino, udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kwawaifudza makwai kuti uve mutongi wavanhu vangu vaIsraeri. Ndakava newe kwose kwawakaenda, uye ndakaparadza vavengi vako vose ndikavabvisa pamberi pako. Zvino zita rako ndichariita guru, richafanana namazita avakuru vari panyika. Uye ndichapa vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo uye ndichavasima kuti vave nomusha wavo pachavo kuti vasazokanganiswazve. Vanhu vakaipa havachazovamanikidzizve, sezvavakaita pakutanga nezvavakaita kubva panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu vaIsraeri. Ndichakuzorodzai kubva kuvavengi venyu vose. “ ‘Jehovha anoti kwauri Jehovha pachake achakumisira imba: Zvino kana mazuva ako akwana uye wazorora namadzibaba ako, ndichamutsa mwana wako kuti atore ushe hwako, achabuda mauri, uye ndichasimbisa ushe hwake. Iye ndiye achavakira Zita rangu imba, uye ndichasimbisa chigaro choushe hwake nokusingaperi. Ini ndichava baba vake, iye achava mwana wangu. Kana akakanganisa, ini ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurangwa kunoitwa navanhu. Asi rudo rwangu haruzombobva paari, sokubvisa kwandakaruita pana Sauro, uyo wandakabvisa pamberi pako. Imba yako noumambo hwako zvichagara pamberi pangu nokusingaperi; chigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.’ ” Natani akazivisa Dhavhidhi mashoko ose ezvaakanga aratidzwa. Zvino Mambo Dhavhidhi akapinda akandogara pamberi paJehovha, akati: “Ko, ini ndini aniko zvangu, nhai Ishe Jehovha, uye mhuri yangu chiiko, zvamandisvitsa pano? Uyezve sezvinonzi izvi hazvina kukwana pamberi penyu, nhai Ishe Jehovha, mataurazve nezveramangwana reimba yomuranda wenyu. Nhai Ishe Jehovha Mwari, izvi ndizvo zvamunogara muchiitira vanhu here? “Ko, Dhavhidhi angareveizve kwamuri? Nokuti munoziva muranda wenyu, Ishe Jehovha. Nokuda kweshoko renyu uye maererano nokuda kwenyu, maita chinhu ichi chikuru uye machizivisa kumuranda wenyu. “Haiwa muri mukuru, imi Ishe Jehovha! Hakuna mumwe akafanana nemi, uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa nenzeve dzedu. Uye ndorupi rumwe rudzi rwakaita savanhu venyu vaIsraeri, irwo rudzi panyika rwakadzikinurwa naMwari kuti vave vanhu vake, uye kuti azviitire zita, uye kuti aite zvinhu zvikuru zvinoshamisa nokudzinga marudzi navamwari vawo pamberi pavanhu venyu, vamakadzikinura kubva muIjipiti? Makasimbisa vanhu venyu vaIsraeri kuti vave venyu nokusingaperi, uye imi, Jehovha, mava Mwari wavo. “Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari, simbisai nokusingaperi shoko renyu ramakataura pamusoro pomuranda wenyu neimba yake. Itai sezvamakavimbisa, kuti zita renyu rikudzwe nokusingaperi. Zvino vanhu vachati, ‘Jehovha Wamasimba Ose ndiye Mwari weIsraeri!’ Zvino imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu. “Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, makaratidza izvi kumuranda wenyu, muchiti, ‘Ndichakuvakira imba.’ Naizvozvo muranda wenyu atsunga kunyengetera, munyengetero uyu. Haiwa Ishe Jehovha, muri Mwari! Mashoko enyu ndeechokwadi, uye mavimbisa zvinhu zvakanaka kumuranda wenyu. Zvino ngazvikufadzei kuti muropafadze imba yomuranda wenyu, kuti irambe iri pamberi penyu nokusingaperi; nokuti imi Jehovha Mwari, mazvitaura, uye namaropafadzo enyu, imba yomuranda wenyu icharopafadzwa nokusingaperi.” Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia uye vakava pasi pake, uye akatora Metegi Ama kubva mumaoko avaFiristia. Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu. Akavavatisa pasi akavayera netambo. Aiti akaera kaviri netambo vanhu ivavo vourayiwa, asi avo vaipinda pachiero chetatu vaitenderwa kurarama. Naizvozvo vaMoabhu vakaitwa varanda naDhavhidhi uye vakabvisiswa mutero. Pamusoro paizvozvo, Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezari mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha, paakaenda kundotorazve nyika yaiva mujinga morwizi Yufuratesi. Dhavhidhi akamutorera ngoro dzamabhiza chiuru, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vaifamba netsoka zviuru makumi maviri. Akaremadza makumbo eshure amabhiza ose kusiya kwezana rimwe chete raikweva ngoro. Zvino vaAramu veDhamasiko vakati vauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri pakati pavo. Akaisa mapoka avarwi munyika yava Arame yeDhamasiko, vaAramu vakava varanda vake vakabvisiswa mutero. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwose kwaakaenda. Dhavhidhi akatora nhoo dzegoridhe dzakanga dziri dzamakurukota aHadhadhezeri, akauya nadzo kuJerusarema. Mambo Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo kubva paTebha neBherotai, maguta akanga ari aHadhadhezeri. Zvino Tou mambo weHamati akati anzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda hondo yose yaHadhadhezeri, akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kundomukwazisa nokumukorokotedza pamusoro pokukunda kwaakanga aita Hadhadhezeri pakurwa, uye akanga amborwisana naTou. Joramu akauya nemidziyo yesirivha neyegoridhe neyendarira. Mambo Dhavidhi akakumikidza midziyo iyi kuna Jehovha, sezvaakanga aita nesirivha negoridhe yakanga yabva kundudzi dzose dzaakanga akunda dzinoti: Edhomu neMoabhu, vaAmoni navaFiristia, neAmareki. Akakumikidzazve zvaakanga apamba kubva kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha. Uye Dhavhidhi akava nomukurumbira paakadzoka kundouraya gumi rezviuru nezviuru zvisere zvavaEdhomu paMupata weMunyu. Akaisa mapoka avarwi munyika yose yeEdhomu, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwaakaenda. Dhavhidhi akabata ushe pamusoro peIsraeri yose, achiita zvakarurama nezvakanaka kuvanhu vose. Joabhu mwanakomana waZeruya aiva mukuru wehondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva muchengeti wemidziyo, Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Seraya aiva munyori; Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutariri wavaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapi vamazano vamambo. Dhavhidhi akabvunza akati, “Ko, kuchine mumwe akasara here weimba yaSauro wandingaitira tsitsi nokuda kwaJonatani?” Zvino kwakanga kuno muranda weimba yaSauro ainzi Zibha. Vakamudana kuti auye kuna Dhavhidhi, mambo akati kwaari, “Ndiwe Zibha here?” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.” Mambo akabvunza akati, “Hakuna mumwe akasara weimba yaSauro wandingaratidza tsitsi dzaMwari here?” Zibha akapindura mambo akati, “Kuchine mwanakomana waJonatani; akaremara makumbo ose.” Mambo akabvunza akati, “Aripiko?” Zibha akapindura akati, “Ari kuimba yaMakiri mwanakomana waAmieri kuRo Dhebhari.” Saka Mambo Dhavhidhi akarayira kuti andotorwa kubva kuRo Dhebhari, pamba paMakiri mwanakomana waAmieri. Zvino Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro akati asvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake kuti aratidze rukudzo. Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti!” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.” Dhavhidhi akati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira tsitsi nokuda kwababa vako Jonatani. Ndichadzosera kwauri nyika yose yakanga iri yasekuru vako Sauro, uye uchadya patafura yangu nguva dzose.” Mefibhosheti akakotamira pasi akati, “Muranda wenyu chiiko, zvamunorangarira imbwa yakafa yakaita seni?” Ipapo mambo akadana Zibha, muranda waSauro, akati kwaari, “Ndapa muzukuru wavatenzi vako zvose zvakanga zviri zvaSauro nemhuri yake. Iwe navana vako navaranda vako ndimi muchamurimira minda mugokohwa zvirimwa, kuti muzukuru wavatenzi vako awane zvokudya. Mefibhosheti, muzukuru wavatenzi vako, achadya patafura yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navanakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri. Ipapo Zibha akati kuna mambo, “Muranda wenyu achaita zvose zvamunomurayira kuti aite imi, ishe wangu namambo. Naizvozvo Mefibhosheti akadya patafura yaDhavhidhi somumwe wavanakomana vamambo.” Mefibhosheti akanga ane mwanakomana mudiki ainzi Mika, uye vose veimba yaZibha vakanga vari varanda vaMefibhosheti. Saka Mefibhosheti akagara muJerusarema nokuti aigara achidya patafura yamambo, uye akanga akaremara tsoka dzake dzose. Nokufamba kwenguva mambo wavaAmoni akafa, mwanakomana wake Hanuni akamutevera paumambo. Dhavhidhi akafunga kuti, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi tsitsi, sokundiitira tsitsi kwakaita baba vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundobata Hanuni maoko pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika kunyika yavaAmoni, machinda avaAmoni akati kuna Hanuni mambo wavo, “Munofunga here imi kuti Dhavhidhi ari kuremekedza baba venyu nokutumira kwaaita vanhu vake kuzochema nemi? Dhavhidhi haana kuvatuma here kuti vazoongorora guta nokurishora kuti vagoriparadza?” Naizvozvo Hanuni akabata vanhu vaDhavhidhi, akavaveura rumwe rutivi rwendebvu, akacheka zvipfeko zvavo napakati kumagaro, ndokuvadzinga. Zvino Dhavhidhi akati audzwa nezvazvo, akatuma nhume kundosangana navarume ava, nokuti vakanga vanyadziswa zvikuru. Mambo akati, “Chimbogarai henyu paJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzakura, mugozouya.” Zvino vaAmoni pavakaziva kuti vakanga vonhuwa pamberi paDhavhidhi, vakatenga varwi vetsoka zviuru makumi maviri zvavaAramu kubva kuBheti Rehobhi neZobha, pamwe chete namambo weMaaka navarume chiuru chimwe, uye navarume zviuru gumi nezviviri vaibva kuTobhi. Paakazvinzwa, Dhavhidhi akatumira Joabhu navarume vose veboka ravarwi. VaAmoni vakabuda pasuo reguta ravo ndokubva vazvironga kuti varwe, uye vaAramu veZobha neRehobhi navarume veTobhi neveMaaka vakanga vari voga mubani. Joabhu akaoona kuti akanga akombwa navarwi mberi neshure; naizvozvo akasarudza dzimwe mhare dzavaIsraeri ndokuvaendesa kundorwisa vaAramu. Akaisa vamwe vose pasi paAbhishai mukoma wake ndokuvatuma kundorwisa vaAmoni. Joabhu akati, “Kana vaAramu vakandikurira iwe wozouya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukurira ipapo ini ndichauya kuzokununura. Iva nesimba tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu takashinga. Jehovha achaita zvinomufadza.” Zvino Joabhu navarwi vake vakaenda kundorwisa vaAramu, ivo vakatiza pamberi pake. VaAmoni pavakaona vaAramu vachitiza, vakatiza pamberi paAbhishai, ndokupinda muguta. Saka Joabhu akadzoka kundorwisa vaAmoni akasvika kuJerusarema. VaAramu vakati vaona kuti vakundwa navaIsraeri, vakaunganazve. Hadhadhezari akakokera vaAramu kubva mhiri kwoRwizi; vakaenda kuHeramu vachitungamirirwa naShobhaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezari. Dhavhidhi akati azvinzwa, akaunganidza vaIsraeri vose, vakayambuka Jorodhani uye vakaenda kuHeramu. VaAramu vakazvigadzirira kuti vasangane naDhavhidhi uye vakarwa naye. Asi vakatiza pamberi pavaIsraeri, Dhavhidhi akauraya mazana manomwe avachairi vengoro dzamabhiza nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akabaya Shobhaki mutungamiri wehondo yavo, akafira ipapo. Madzimambo ose akanga ari varanda vaHadhadhezari akati aona kuti akundwa navaIsraeri, akayanana navaIsraeri uye akava pasi pavo. Saka vaAramu vakatya kubatsira vaAmoni zvakare. Munguva yechirimo, madzimambo paanoenda kundorwa, Dhavhidhi akatuma Joabhu navaranda vamambo nehondo yose yeIsraeri. Vakandoparadza vaAmoni uye vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. Zvino rimwe zuva madekwana Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake akafamba pamusoro pedenga romuzinda. Aripo padenga akaona mukadzi aishamba. Mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo, uye Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza nezvomukadzi uyu. Murume akatumwa akati, “Ko, uyu haasi Bhatishebha here mwanasikana waEriamu mukadzi waUria muHiti?” Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora. Akauya kwaari, iye akarara naye; nokuti akanga azvinatsa pakusachena kwake. Ipapo akadzokera kumba kwake. Mukadzi uyu akabata pamuviri ndokubva atuma shoko kuna Dhavhidhi achiti, “Ndava nemimba.” Saka Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu akati, “Nditumire Uria muHiti.” Saka Joabhu akamutumira kuna Dhavhidhi. Uria akati asvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti Joabhu aiva akadini hake, zvose navarwi uye kuti hondo yaifamba sei. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Uria, “Enda hako kuimba yako unoshamba tsoka dzako.” Naizvozvo Uria akabva pamuzinda wamambo, uye achangoenda, mambo akamutumira chipo. Asi Uria akarara pasuo romuzinda navaranda vose vatenzi wake akasaenda kumba kwake. Zvino Dhavhidhi paakaudzwa kuti, “Uria haana kuenda kumba kwake,” akamubvunza akati, “Hauna kubva parwendo here? Sei usina kuenda kumba kwako?” Uria akati kuna Dhavhidhi, “Areka navaIsraeri pamwe chete navaJudha vagere mumatende, uye tenzi wangu Joabhu navanhu vaishe wangu vari mumisasa kusango. Ko, ini ndaigozoenda sei kumba kwangu kuti ndidye ndichinwa nokurara nomudzimai wangu? Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, handingaiti chinhu chakadaro!” Ipapo Dhavhidhi akati kwaari, “Chigara hako pano kwezuva rimwe chete, mangwana ndigokutendera hangu kuti udzokere.” Naizvozvo Uria akagara muJerusarema zuva iroro neraitevera. Akakokwa naDhavhidhi, akadya nokunwa naye, uye Dhavhidhi akaita kuti adhakwe. Asi ava madekwana Uria akabuda akandovata panhoo yake pamwe chete navaranda vatenzi wake; haana kuenda kumba kwake. Chifumi chamangwana Dhavhidhi akanyora tsamba kuna Joabhu akaituma naUria. Akanyora mairi achiti, “Isa Uria pamberi paya panorwiwa zvinotyisa zvikuru. Ipapo iwe umusiye ari oga kuti abayiwe afe.” Saka Joabhu paakanga akakomba guta, akaisa Uria panzvimbo yaaiziva kuti ndipo paiva navarume voumhare. Varume veguta pavakabuda vakarwa naJoabhu, vamwe vevarume vehondo yaDhavhidhi vakakundwa; uye Uria muHiti akafawo. Joabhu akatumira Dhavhidhi mashoko amafambiro akanga aita hondo. Akarayira nhume achiti, “Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mafambiro aita hondo, hasha dzamambo dzingakwira, uye angangokubvunza achiti, ‘Ko, sei maswedera pedyo zvakadaro neguta muchirwa? Manga musingazivi here kuti vaizokupfurai nemiseve vari parusvingo? Ndianiko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhesheti? Haasi munhukadzi here akakanda guyo pamusoro pake richibva parusvingo, zvokuti akafira paTebhezi? Sei maswedera pedyo norusvingo?’ Kana akakubvunza izvi, ipapo uti kwaari, ‘Muranda wenyu Uria muHiti afawo.’ ” Nhume yakaenda, uye yakati yasvika, yakaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yarayirwa naJoabhu. Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vatikurira vakatibudira pachena, asi isu tavasairira kusvikira vasvika pasuo reguta. Ipapo vapfuri vapfura varanda venyu vari parusvingo, uye vamwe vavaranda vamambo vafa. Uyewo, muranda wenyu Uria muHiti afa.” Dhavhidhi akarayira nhume achiti, “Uti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukushungurudza; munondo haubayi rutivi rumwe asi nokunouyawo wabaya. Ramba uchirwisa guta uriparadze.’ Taura izvi kuna Joabhu kuti umukurudzire.” Zvino mukadzi waUria paakanzwa kuti murume wake akanga afa, akamuchema. Zvino mazuva okuchema akati apera, Dhavhidhi akamuuyisa kumba kwake, akava mukadzi wake, uye akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi chakaitwa naDhavhidhi hachina kufadza Jehovha. Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari, akataura akati, “Pakanga pana varume vaviri mune rimwe guta, mumwe akanga akapfuma mumwe ari murombo. Mupfumi uyu akanga ana makwai mazhinji kwazvo uye nemombe zhinji, asi murombo akanga asina chinhu kusara kwegwayana rimwe chete raakanga atenga. Akarirera, rikakura naye navana vake. Raidya pamwe chete naye, richinwira pamukombe waayinwira, uye richirara pamaoko ake. Rakanga rakaita somwanasikana kwaari. “Zvino muenzi aipfuura hake akasvika kumupfumi uya, asi mupfumi uyu haana kuda kubata rimwe ramakwai ake kana mombe kuti agadzirire zvokudya mupfuuri uyu akanga asvika kwaari. Asi iye akatora gwayana romurombo akarigadzirira uya akanga asvika kwaari.” Dhavhidhi akatsamwira munhu uyu zvikuru kwazvo akati kuna Natani, “Chokwadi naJehovha mupenyu, munhu akaita zvinhu zvakadai anofanira kufa! Anofanira kuripira gwayana iri kakapetwa runa pamusoro, nokuti akaita zvinhu zvakadai uye akasava netsitsi.” Ipapo Natani akati kuna Dhavhidhi, “Ndimi munhu uyo! Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri, ‘Ndakakuzodza kuti uve mambo weIsraeri, uye ndakakununura kubva paruoko rwaSauro. Ndakapa kwauri imba yatenzi wako, uye vakadzi vatenzi wako ndakavaisa mumaoko ako. Ndakakupa imba yaIsraeri neyaJudha. Uye dai zvose izvi zvakava zvishoma, ndaidai ndakakupa zvimwezve. Ko, wakazvidzirei shoko raJehovha nokuita zvisakarurama pamberi pake? Wakauraya Uria muHiti nomunondo uye ukatora mukadzi wake ukamuita wako. Wakamuuraya nomunondo wavaAmoni. Naizvozvo, munondo hauchazobvi mumba mako, nokuti wakandizvidza uye ukatora mukadzi waUria muHiti kuti ave wako.’ “Zvanzi naJehovha, ‘Kubva mumba mako chaimo ndichauyisa njodzi pamusoro pako. Ndichatora vakadzi vako iwe wakatarira ndigovapa kuno mumwe ari pedyo newe, uye acharara navo masikati machena. Iwe wakaita muchivande, asi ini ndichazviita masikati machena pamberi peIsraeri yose.’ ” Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndakatadzira Jehovha.” Natani akapindura akati, “Jehovha akuregerera chitadzo chako. Haungafi hako kwete. Asi nokuda kwokuti waita izvi, waita kuti vavengi vaJehovha vamuzvidze kwazvo, mwanakomana uyu wauchaberekerwa achafa.” Mushure mokunge Natani adzokera kumba, Jehovha akarova mwana akaberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUria, akabva arwara. Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Mwari. Akatsanya uye akapinda mumba make akapedza usiku nousiku akarara pasi. Vakuru veimba yake vakamira paakanga ari, vachida kuti amuke pasi paakanga ari, asi iye akaramba, uye haana kuda kuti adye navo. Pazuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana akanga afa, nokuti vakafunga kuti, “Apo mwana paakanga achiri mupenyu, takataura naDhavhidhi asi haana kuda kutiteerera. Zvino tichamuudza sei kuti mwana afa? Achazvikuvadza zvikada.” Dhavhidhi akaona kuti varanda vake vakanga vachizevezerana ndokubva aziva kuti mwana akanga afa. Akabvunza akati, “Mwana afa kanhi?” Vakapindura vakati, “Hongu afa.” Ipapo Dhavhidhi akamuka pasi paakanga ari. Mushure mokunge ashamba, akazora mafuta, uye akapfeka zvimwe zvipfeko, akapinda mumba maJehovha akanamata. Ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya vakamupa, akadya. Varanda vake vakamubvunza vakati, “Ko, muri kuitirei zvinhu zvakadai? Mwana paakanga achiri mupenyu makatsanya uye mukachema, asi zvino mwana afa, momuka modya!” Iye akapindura akati, “Apo mwana paakanga achiri mupenyu, ndakatsanya uye ndikachema. Ndaifunga kuti, ‘Ndiani anoziva? Zvimwe Jehovha angandinzwira nyasha akaita kuti mwana ararame.’ Asi zvino zvaafa, ndichatsanyireiko? Ko, ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzoki kwandiri.” Zvino Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, uye akaenda kwaari akandorara naye. Akabereka mwanakomana, vakamutumidza kuti Soromoni. Jehovha akamuda; uye nokuti Jehovha akamuda, akatuma shoko nokuna Natani muprofita kuti amutumidze kuti Jedhidhia. Zvino Joabhu akandorwa naRabha wavaAmoni uye akatora nhare yamambo. Ipapo Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, achiti, “Ndarwisa Rabha uye ndikatora nzvimbo inobva mvura yeguta iri. Naizvozvo unganidzai varwi vose mukombe guta mugorikunda. Zvikasadaro ini ndichatora guta, uye rinozotumidzwa zita rangu.” Naizvozvo Dhavhidhi akaunganidza hondo yose ndokubva aenda kuRabha, akandorirwisa akaritora. Akabvisa korona pamusoro wamambo wavo, kurema kwayo kwaisvika tarenda rimwe chetea uye yakanga yakanamirwa mabwe anokosha, uye yakaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo kubva muguta iri uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavapa basa ravaishanda namajeko, mapiki namatemo, uye akavapa basa rokukanya zvidhina. Akaita izvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yose vakadzokera kuJerusarema. Munguva iyoyo, Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akachiva Tamari, hanzvadzi yaAbhusaromu mwanakomana waDhavhidhi yakanga yakanaka kwazvo. Amunoni akatambudzika kusvikira pakurwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake, nokuti hazvaigona kuti amuite chimwe chinhu. Zvino Amunoni aiva neshamwari yake yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi. Jonadhabhu akanga ari munhu aiva namano. Akabvunza Amunoni akati, “Seiko, iwe mwanakomana wamambo, uchipunyaira mangwanani oga oga? Haungandiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun'una wangu Abhusaromu.” Jonadhabhu akati, “Enda unorara unyepedzere kurwara. Zvino kana baba vako vauya kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye andipe zvokudya. Ndinoda kuti agadzire zvokudya ini ndichiona kuti ndimuone uye ipapo ndigodya zvichibva mumaoko ake.’ ” Saka Amunoni akavata pasi akanyepedzera kurwara. Zvino mambo paakauya kuzomuona, Amunoni akati kwaari, “Ndinokumbira kuti Tamari hanzvadzi yangu auye andibikire chingwa chakaisvonaka ndichiona, kuti ndigodya zvichibva mumaoko ake.” Dhavhidhi akatumira shoko kuna Tamari kumba kwamambo akati, “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amunoni umugadzirire zvokudya.” Zvino Tamari akaenda kumba kwaAmunoni hanzvadzi yake, uyo akanga akarara pasi. Akatora mukanyiwa, akakanya, akaumba chingwa uye akachibika iye achiona. Akatora pani ndokumupa chingwa, asi iye akaramba kudya. Amunoni akati, “Vanhu vose ngavabude muno.” Saka vanhu vose vakabuda. Amunoni ndokubva ati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muno mumba mangu mokurara ndidye zvichibva muruoko rwako.” Zvino Tamari akatora chingwa chaakanga abika akaenda nacho mumba yokurara yehanzvadzi yake Amunoni. Asi akati achimupa kuti adye, iye akamubata akati, “Uya urare neni, hanzvadzi yangu.” Iye akati kwaari, “Kwete, hanzvadzi yangu! Usandichinya. Chinhu chakadai hachifaniri kuitwa muIsraeri! Usaita chinhu chakaipa zvakadai. Ko, ini ndichavei? Uchava somumwe wamapenzi akaipa muIsraeri. Ndapota, taura namambo; haangamborambi kuti ndiroorwe newe.” Asi iye akaramba kumuteerera, uye nokuti akanga ane simba kumudarika, akamubata chibharo. Ipapo Amunoni akabva amuvenga nokuvenga kukuru kwazvo, akamuvenga kupfuura kumuda kwaaiva ambomuita. Amunoni akati kwaari, “Muka uende!” Iye akati kwaari, “Kwete! Kundidzinga muno kwakashata kudarika zvawatondiita nechakare.” Asi iye akaramba kumuteerera. Akadana muranda wake akati kwaari, “Dzinga mukadzi uyu abve muno uye ukiye mukova kana achinge abuda.” Ipapo muranda wake akumubudisa panze akakiya mukova shure kwake. Akanga akapfeka nguo yaikosha zvikuru yaipenya, nokuti ndidzo nguo dzaipfekwa navanasikana vamambo vaiva mhandara. Tamari akazvizodza madota akabvarura nguo inokosha yaakanga akapfeka. Akabata musoro wake ndokuenda achichema zvikuru. Hanzvadzi yake Abhusaromu akati kwaari, “Ko, ndiAmunoni, hanzvadzi yako, anga anewe here? Chinyarara zvako, hanzvadzi; iye ihanzvadzi yako. Usanyanyozvidya mwoyo nazvo.” Uye Tamari akagara mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake, akava mukadzi akasurukirwa. Zvino mambo Dhavhidhi akati anzwa zvose izvi, akatsamwa kwazvo. Abhusaromu haana kana kumbotaura shoko kuna Amunoni, rakanaka kana rakaipa; akavenga Amunoni nokuti akanga akanyadzisa hanzvadzi yake Tamari. Mushure mamakore maviri; vavevuri vamakwai aAbhusaromu pavakanga vari paBhaari Hazori pedyo nomuganhu weEfuremu, akakoka vanakomana vose vamambo kuti vauye ikoko. Abhusaromu akaenda kuna mambo akandoti, “Muranda wenyu aita kuti vavevuri vauye. Ndapota, ko, mambo namakurukota ake haangauyi kuzova neni here?” Mambo akapindura akati, “Kwete, mwanakomana wangu. Hatifaniri kuenda tose; tingazova mutoro kwauri.” Kunyange zvazvo akamugombedzera, akaramba kuenda, asi akamuropafadza. Ipapo Abhusaromu akati, “Kana zvisingaiti, chitenderai henyu munun'una wangu Amunoni kuti aende nesu.” Mambo akamubvunza akati, “Ko, iye anoendereiko, nemi?” Asi Abhusaromu akavanyengetedza, saka akazotendera Amunoni navanakomana vose vamambo kuti vaende navo. Abhusaromu akarayira vanhu vake akati, “Teererai! Kana Amunoni anwa waini zvokuti haachabviri nokufara uye ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amunoni,’ ibvai mamuuraya. Musatya. Handizini ndakurayirai here? Simbai mutsunge mwoyo.” Saka vanhu vaAbhusaromu vakaita kuna Amunoni sokurayirwa kwavakanga vaitwa naAbhusaromu. Ipapo vana vose vamambo vakasimuka, vakatasva manyurusi avo vakatiza. Vachiri munzira kudaro, shoko rakasvika kuna Dhavhidhi richiti, “Abhusaromu auraya vanakomana vose vamambo; hapana kana mumwe zvake asara.” Mambo akasimuka, akabvarura nguo dzake akazvambarara pasi; ipapo varanda vake vose vakauya vaine nguo dzakabvaruka vakamira paari. Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi, akati, “Ishe wangu ngaarege kufunga kuti vauraya machinda ake ose; Amunoni oga ndiye afa. Izvi zvakagara zviri muurongwa hwaAbhusaromu kubvira musi wakabatwa chibharo hanzvadzi yake Tamari naAmunoni. Naizvozvo zvino Ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo neshoko rokuti vanakomana vose vamambo vafa. Amunoni oga ndiye afa.” Panguva iyoyo, Abhusaromu akatiza. Zvino murume akanga amire akarinda akatarira kumusoro akaona vanhu vazhinji mumugwagwa nechokumavirirazuva kwake, vachiburuka norutivi rwegomo. Nharirire iyi yakaenda ikandoudza mambo kuti, “Ndiri kuona varume kunzira yeHoronaimu, kurutivi rwegomo.” Jonadhabhu akati kuna Mambo, “Tarirai, vanakomana vamambo vasvika; zvaitika sokutaura kwomuranda wenyu.” Akati achipedza kutaura, vanakomana vamambo vakabva vapinda, vachiungudza zvikuru. Zvino mambo pamwe chete navaranda vake vakachema neshungu kwazvo. Abhusaromu akatiza akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihudhi, mambo weGeshuri. Asi mambo Dhavhidhi akachema pamusoro pomwanakomana wake mazuva ose. Mushure mokunge Abhusaromu atiza akaenda kuGeshuri, akandogarako kwamakore matatu. Uye mweya wamambo wakashuva kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti zvino akanga anyaradzwa pamusoro porufu rwaAmunoni. Zvino Joabhu mwanakoma waZeruya akaziva kuti mwoyo wamambo wakanga woshuva Abhusaromu. Saka Joabhu akatuma munhu kuTekoa kuti andouya nomukadzi akanga akachenjera kubva ikoko. Akati kwaari, “Ita somunhu ari pakuchema. Upfeke nguo dzokuchema uye usazvizora mafuta. Uite somukadzi ava namazuva akawanda ari pakuchema vakafa. Ipapo ugoenda kuna mambo undotaura mashoko aya kwaari.” Uye Joabhu akaisa mashoko mumuromo make. Mukadzi akabva kuTekoa akati asvika kuna mambo, akawira pasi nechiso chake, kuri kupa rukudzo, akati, “Ndibatsireiwo, nhai mambo!” Mambo akamubvunza akati, “Watambudzwa neiko?” Iye akati, “Zvirokwazvo ndiri chirikadzi; murume wangu akafa. Zvino ini muranda wenyu ndakanga ndina vanakomana vaviri. Vakarwa vari vaviri musango, uye hapana aivapo kuti avarandutsire. Mumwe akarova mumwe uye akamuuraya. Zvino mhuri yose yamukira murandakadzi wenyu. Vari kuti, ‘Tipei uyo akauraya munun'una wake, kuti timuuraye nokuda kwoupenyu hwomunun'una wake, kuti timuuraye nokuda kwoupenyu hwomunun'una wake waakauraya; kunyange tichizobvisa mudyi wenhaka zvakare.’ Saka vachadzima zimbe rangu rimwe ranga rasara, vakasasiyira murume wangu zita kana rudzi panyika.” Mambo akati kumukadzi, “Enda hako kumba kwako, ini ndicharayira shoko pamusoro pako.” Asi mukadzi weTekoa akati kwaari, “Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, uye mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.” Mambo akapindura akati, “Kana munhu akataura chinhu kwauri, uya naye kwandiri, haangozokunetsizve.” Iye akati, “Naizvozvo mambo ngaataure naIshe Mwari wake kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, kuti mwanakomana wangu arege kuparadzwa.” Mambo akati, “NaJehovha mupenyu, hapana ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako ruchawira pasi.” Ipapo mukadzi uya akati, “Tenderai muranda wenyu kuti ataure shoko kuna ishe mambo wangu.” Iye akati, “Taura hako.” Mukadzi uya ndokuti, “Zvino seiko makarongera vanhu vaMwari zvakadai? Kana mambo vachitaura zvakadai, havazi kuzvipa mhosva here, nokuti mambo havana kudzosa mwanakomana uya akambenge adzingwa. Semvura yadeukira pasi, isingazogoni kudyorerwa, saizvozvo tinofanira kufa. Asi Mwari haaurayi munhu; pachinzvimbo chaizvozvo anotoronga zano rokuti akadzingwa arege kuraswa zvachose naye. “Zvino ini ndauya kuzotaura izvi kuna ishe mambo wangu nokuti vanhu vandityisidzira. Murandakadzi wenyu akafunga akati, ‘Rega ndinotaura namambo zvimwe vangaitira muranda wavo zvaanokumbira. Zvimwe mambo vangabvuma kurwira murandakadzi wavo kubva paruoko rwomunhu anotsvaka kuparadza zvose ini nomwanakomana wangu kuti tirege kugara nhaka yatakapiwa naMwari.’ “Zvino murandakadzi wenyu anoti, ‘Ndinokumbira kuti shoko rashe mambo wangu rindinyaradze, nokuti ishe wangu mambo akafanana nomutumwa waMwari pakuziva zvakanaka nezvakaipa. Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.’ ” Ipapo mambo akati kumukadzi, “Usandivanzira hako shoko randichakubvunza.” Mukadzi akati, “Ishe mambo wangu ngavataure havo.” Mambo akabvunza akati, “Ko, ruoko rwaJoabhu harusi kubatsirana newe pazvinhu zvose izvi here?” Mukadzi akapindura akati, “Noupenyu hwenyu, ishe wangu mambo, hapana munhu angatendeukira kurudyi kana kuruboshwe kubva pane zvinenge zvataurwa nashe mambo wangu. Ichokwadi, muranda wenyu Joabhu ndiye andirayira kuti ndiite izvi uye ndiye aisa mashoko ose aya mumuromo womurandakadzi wenyu. Muranda wenyu Joabhu akaita izvi kuti ashandure mamiriro ezvinhu. Ishe wangu ano uchenjeri sohwomutumwa waMwari, anoziva zvose zvinoitika panyika.” Mambo akati kuna Joabhu, “Zvakanaka chose, ndichaita saizvozvo. Chienda, unouya nejaya Abhusaromu.” Joabhu akawira pasi nechiso chake achipa rukudzo, uye akaropafadza mambo. Joabhu akati, “Nhasi muranda wenyu aziva kuti awana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo, nokuti mambo aita zvandakumbira ini muranda wake.” Saka Joabhu akaenda kuGeshuri akandouya naAbhusaromu kuJerusarema. Asi mambo akati, “Anofanira kuenda kuimba yake; haafaniri kuona chiso changu.” Saka Abhusaromu akaenda kumba kwake akasaona chiso chamambo. MuIsraeri mose makanga musina murume airumbidzwa navanhu nokuda kworunako rwake saAbhusaromu. Kubva kumusoro wake kusvikira kutsoka dzake pakanga pasina panonzi apa pakaipa. Pose paaigurira bvudzi rake, aigurira bvudzi rake nguva nenguva parainge rava kumuremera, airiyera, uye uremo hwaro hwaisvika mashekeri mazana maviria kana zvichierwa nechiereso chamambo. Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mumwe chete. Zita romwanasikana rainzi Tamari, uye akanga ari mukadzi akanaka pachiso. Abhusaromu akagara kwamakore maviri muJerusarema asina kumboona chiso chamambo. Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu kuti amutume kuna mambo, asi akaramba kuenda kwaari. Saka akatumazve shoko kechipiri, asi akaramba kuuya. Ipapo akati kumuranda wake, “Onaka, munda waJoabhu wakaganhurana nowangu, uye ane bhari imomo. Enda unopisa.” Naizvozvo varanda vaAbhusaromu vakapisa munda. Ipapo Joabhu akaenda kumba kwaAbhusaromu akandoti kwaari, “Ko, varanda vako vapisirei munda wangu?” Abhusaromu akati kuna Joabhu, “Tarira ndatuma shoko kwauri ndikati, ‘Uya kuno kuti ndikutume kuna mambo unobvunza kuti, “Ko, zvino ndakabvirei hangu kuGeshuri?”’ Zvingadai zviri nani dai ndanga ndichiriko zvangu! Naizvozvo, ndinoda kuona chiso chamambo, uye kana ndine mhosva yechimwe chinhu, ngavandiuraye havo.” Saka Joabhu akaenda kuna mambo akandotaura saizvozvo. Ipapo mambo akadana Abhusaromu, uye akauya akasvikokotamisa uso hwake pasi pamberi pamambo. Uye Mambo akatsvoda Abhusaromu. Mushure mechinguva, Abhusaromu akazvigadzirira ngoro yamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye mberi kwake. Aimuka mangwanani achindomira parutivi rwenzira yainanga pasuo reguta. Paiti kana munhu akauya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu aimudana oti kwaari, “Ko, iwe uri weguta ripi?” Iye aipindura achiti, “Muranda wenyu anobva kuno rumwe rwamarudzi avaIsraeri.” Ipapo Abhusaromu aizoti kwaari, “Tarira, mashoko ako akanaka uye ndeechokwadi, asi hapana mumiririri wamambo anganzwe nyaya yako.” Uye Abhusaromu aizoti, “Dai vaindiita zvavo mutongi munyika muno! Zvaizoti munhu wose anenge ane chichemo kana nyaya aizouya kwandiri uye ndaizoona kuti aitirwa zvakarurama.” Zvaizotizve, kana munhu akaswedera kwaari akamupfugamira, Abhusaromu aimutambanudzira ruoko rwake, omubata uye omutsvoda. Abhusaromu aiitira izvi kuvaIsraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo, nokudaro akaita kuti varume vose vomuIsraeri vamude. Mushure mamakore mana, Abhusaromu akati kuna mambo, “Nditenderei kuti ndiende kuHebhuroni ndinozadzisa mhiko yandakaita kuna Jehovha. Muranda wenyu paakanga achigara paGeshuri muAramu, ndakaita mhiko iyi, ‘Kana Jehovha akandidzosera kuJerusarema, ndichamunamata ndiri muHebhuroni.’ ” Mambo akati kwaari, “Enda norugare.” Iye akabva aenda kuHebhuroni. Ipapo Abhusaromu akatuma nhume muchivande kumarudzi ose avaIsraeri kundoti kwavari, “Kana muchinge manzwa hwamanda yarira, ipapo daidzirai muchiti, ‘Abhusaromu ava mambo muHebhuroni.’ ” Varume mazana maviri vokuJerusarema vakanga vaperekedza Abhusaromu. Vakanga vakokwa uye vakangoendawo vasina zvavaiziva, vasina zvavaiziva pamusoro pezvakanga zvarongwa. Abhusaromu paakanga achipa zvipiriso akadanawo Ahitoperi muGironi, gurukota raDhavhidhi, kuti auye kubva kuGiro, guta raaigara. Ipapo urongwa hwokumukira mambo hwakabva hwasimba, uye vanhu vakatevera Abhusaromu vakaramba vachiwanda. Nhume yakauya uye ikaudza Dhavhidhi kuti, “Varume veIsraeri vatorwa mwoyo naAbhusaromu.” Ipapo Dhavhidhi akati kumakurukota ake ose aiva naye muJerusarema, “Uyai! Ngatitizei, zvikasadaro tose hapana angapunyuka kubva kuna Abhusaromu. Tinofanira kubva pano izvozvi, kana tikasadaro angatibata akatiparadza uye akarwisa guta nomunondo.” Makurukota amambo akapindura akati, “Varanda venyu vakazvipira kuita chipi nechipi chinenge chasarudzwa naishe mambo wedu.” Mambo akaenda, imba yake vose vachimutevera; asi akasiya varongo vake gumi kuti vachengete muzinda wamambo. Saka mambo akabuda akaenda, vanhu vose vakamutevera, uye vakandomira pane imwe nzvimbo yaiva chinhambwe. Vanhu vake vose vakapfuura pamberi pake, pamwe chete navaKereti navaPereti vose, uye namazana matanhatu ose avaGiti avo vakanga vabva naye kuGati, vakafamba vachipfuura napamberi pamambo. Mambo akati kuna Itai muGiti, “Ko, wauyireiwo nesu? Dzokera unogara naMambo Abhusaromu. Uri mutorwa iwe, wakadzingwa kumusha kwako. Wakauya nezuro chaiye, zvino nhasi ndingaita kuti udzungaire nesu here, uye ini ndisingazivi chaiko kwandinoenda? Dzokera, uye tora hama dzako dzose. Ngoni nokutendeka ngazvive newe.” Asi Itai akapindura mambo akati, “Ndinopika naJehovha mupenyu, uye ndinopika naishe wangu mambo mupenyu, pana ishe wangu mambo, kunyange zvikareva upenyu kana kufa, ipapo muranda wenyu ndipo paachava.” Dhavhidhi akati kuna Itai, “Enda hako, famba.” Nokudaro Itai muGiti navanhu vake nemhuri dzose dzaiva naye vakafamba vachienda mberi. Nyika yose yakachema kwazvo apo vanhu vose vakanga vachipfuura. Namambowo akayambuka mupata weKidhironi, uye vanhu vose vakafamba vakananga kurenje. Zadhoki akanga aripowo, uye vaRevhi vose vakanga vanaye vakanga vakatakura areka yesungano yaMwari. Vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akapa zvipiriso kusvikira vanhu vose vabuda muguta. Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, “Dzosera areka yaMwari muguta. Kana ndikawana nyasha pamberi paJehovha, achandidzosa uye achaita kuti ndione zvakare panzvimbo paanogara. Asi kana iye akati, ‘Handifadzwi newe,’ zvose ndakazvigadzirira; ngaandiitire hake zvaanenge achida.” Mambo akatizve kuna Zadhoki muprista, “Ko, hauzi muoni here? Dzokera muguta norugare, nomwanakomana wako Ahimaazi naJonatani mwanakomana waAbhiatari. Iwe naAbhiatari, endai navanakomana venyu. Ini ndichandomira pamazambuko erenje kusvikira shoko rasvika kwandiri kubva kwamuri.” Ipapo Zadhoki naAbhiatari vakatora areka yaMwari vakadzokera kuJerusarema vakandogarako. Asi Dhavhidhi akaramba achikwira Gomo reMiorivhi, akaenda achichema: aiva akafukidza musoro wake asina shangu. Vanhu vose naivowo vakanga vakafukidza misoro yavo vachichema vachikwidza. Zvino Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Ahitoferi ndiye mumwe wavapanduki vana Abhusaromu.” Saka Dhavhidhi akanamata achiti, “Haiwa Jehovha, shandurai henyu mazano aAhitoferi kuti ave upenzi.” Dhavhidhi paakasvika pamusoro, vanhu pavaisinamata Mwari vari, Hushai muAriki akanga akamumirira, nguo yake yakabvaruka uye ane guruva mumusoro. Dhavhidhi akati kwaari, “Kana iwe ukaenda neni, uchava mutoro kwandiri. Asi kana ukadzokera kuguta ukandoti kuna Abhusaromu, ‘Ini ndichava muranda wenyu, imi mambo; ndaiva muranda wababa venyu kare, asi zvino ndichava muranda wenyu,’ ipapo ungandibatsira kuti ukanganise zano raAhitoferi. Vaprista Zadhoki naAbhiatari vanenge vasiri pamwe chete newe here? Iwe uvaudze zvose zvaunenge uchinzwa zvichirongwa mumuzinda wamambo. Vana vavo vaviri, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki naJonatani mwanakomana waAbhiatari, varikowo. Uvatume kwandiri nezvose zvaunenge wanzwa.” Saka shamwari yaDhavhidhi, Hushai, akasvika kuJerusarema Abhusaromu paakanga achipinda muguta. Dhavhidhi akati afamba chinhambwe chiduku pamusoro pegomo, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti akamumirira. Akanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakatakudzwa mazana maviri ezvingwa, nezana ramakeke amaonde nedende rewaini. Mambo akabvunza Zibha akati, “Ko, wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akapindura akati, “Mbongoro ndedzeveimba yamambo kuti vatasve, zvingwa nemichero ndezvavarume kuti vadye, uye waini ndeyokupedza nyota yeavo vanga vaneta nokuda kwerenje.” Mambo akabvunza akati, “Ko, muzukuru watenzi wako aripi?” Zibha akati kwaari, “Ari kugara muJerusarema, nokuti anoti iye, ‘Nhasi veimba yaIsraeri vachandidzorera umambo hwasekuru vangu.’ ” Ipapo mambo akati kuna Zibha, “Tarira zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.” Zibha akati, “Ndinozvideredza. Dai ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo.” Mambo Dhavhidhi paakanga ava kusvika kuBhahurimi, mumwe murume aibva kurudzi rumwe chete nemhuri yaSauro akabudamo. Zita rake ainzi Shimei mwanakomana waGera, uye aituka paaibuda. Akapotsera mabwe kuna Dhavhidhi namakurukota ose amambo, kunyange zvazvo varwi vose navachengeti vake vakanga vari kurudyi nokuruboshe rwake. Shimei akatuka achiti, “Ibva kuno, ibva kuno, iwe munhu weropa, munhu akaipa! Jehovha akuripira ropa rose rawakadeura muimba yaSauro, uyo wawakatorera chigaro chokutonga. Jehovha apa ushe kumwanakomana wako Abhusaromu. Wasvika pakuparara nokuti uri munhu weropa!” Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, “Ko, iyi imbwa yakafa ingatukirei ishe mambo wangu? Regai ndiende ndinodimura musoro wake.” Asi mambo akati, “Ko, ini nemi takafanana pakudini, imi vanakomana vaZeruya? Ko, kana achituka nokuti Jehovha ati kwaari, ‘Tuka Dhavhidhi,’ ndiani angati, ‘Ko, unoitirei izvi?’ ” Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhishai namakorokota ake ose, “Mwana wangu, anova wenyama yangu chaiyo, ari kuda kundiuraya. Ko, kuzoti uyu zvake, muBhenjamini! Musiyei akadaro; regai atuke, nokuti Jehovha amutuma. Zvichida Jehovha angaona kutambura kwangu uye zvimwe angandiripira zvakanaka nokuda kwokutukwa kwandiri kugamuchira nhasi.” Ipapo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba nenzira, Shimei paakanga achifamba ari kuno rumwe rutivi rwegomo, achituka achingoenda achipotsera matombo kwaari achimupfumburira guruva. Mambo navanhu vose vaiva naye vakasvika kwavaienda vaneta. Akazororapo. Panguva iyi, Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakasvika muJerusarema, uye Ahitoferi aiva naye. Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuna Abhusaromu akandoti kwaari, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Mambo ngaararame nokusingaperi!” Abhusaromu akabvunza Hushai akati, “Urwu ndirwo rudo rwaunoratidza shamwari yako here? Sei usina kuenda neshamwari yako?” Hushai akati kuna Abhusaromu, “Kwete, iye akasarudzwa naJehovha, navanhu ava uye navarume vose veIsraeri, ini ndichava wake, uye ndicharamba ndinaye. Zvakarezve, ndingagoshandira aniko? Ko, handifaniri kushandira mwanakomana? Sezvandaishandira baba venyu, saizvozvo ndichakushandirai.” Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, “Tipewo zano rako. Toita sei?” Ahitoferi akapindura akati, “Vatai navarongo vababa venyu avo vakasiyiwa vakachengeta muzinda wamambo. Ipapo Israeri yose ichanzwa kuti mazviita chinhu chinonhuwa mumhuno dzababa venyu, uye maoko avanhu vose vanokutsigirai achasimbiswa.” Ipapo vakamisira Abhusaromu tende pamusoro pedenga remba, uye akavata navarongo vababa vake vaIsraeri vose vachionai. Zvino mumazuva iwayo zano raipiwa naAhitoferi raiita seromunhu anobvunza kuna Mwari. Ndizvozvo zvaifungwa naDhavhidhi pamwe chete naAbhusaromu pamusoro pamazano aipiwa naAhitoferi. Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndigosimuka usiku huno nditevere Dhavhidhi. Uye ndichamurwisa achakaneta uye asina simba. Ndichamutyisidzira, uye ipapo vanhu vose vaanavo vachatiza. Ndichauraya mambo chete. Ndichadzosera vanhu vose kwamuri. Kufa kwomunhu wamunotsvaka kuchareva kudzoka kwavose; ipapo vanhu vose vachava norugare.” Shoko iri rakafadza Abhusaromu navakuru vose veIsraeri. Asi Abhusaromu akati, “Danaiwo Hushai muAriki, kuti tigonzwa kuti anoti kudii.” Hushai akati asvika kwaari, Abhusaromu akati, “Ahitoferi apa zano iri. Toita zvaareva here? Kana zvisizvo, tipewo pfungwa yako.” Hushai akapindura Abhusaromu akati, “Zano ramapiwa naAhitoferi harina kunaka panguva ino. Munoziva baba venyu navanhu vavo; varwi, uye vanotyisa kunge bere rabvutirwa vana varo. Pamusoro pezvo, baba venyu murwi ano ruzivo; havangavati namauto usiku. Kunyange izvozvi vakavanda mubako kana pane imwe nzvimbo. Kana vakatanga kurwa navarwi venyu, ani naani anonzwa nezvazvo achati, ‘Pakati pavarwi vanotevera Abhusaromu paurayiwa vanhu.’ Ipapo kunyange murwi akashinga kwazvo, ane mwoyo wakaita soweshumba, achati rukutu nokutya, nokuti vaIsraeri vose vanoziva kuti baba venyu murwi uye kuti vose vavanavo vakashinga. “Saka zano rangu nderiri: VaIsraeri vose, kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha, vakawanda sejecha rokumhenderekedzo dzegungwa, ngavaungane kwamuri, iyemi pachenyu muchivatungamirira kundorwa. Ipapo tichavarwisa kwose kwavanenge vari, uye tichawira paari sedova rinowira pasi. Hakuna kana mumwe wavo zvake achasara ari mupenyu. Kana akadzokera muguta, ipapo vaIsraeri vose vachauya namabote kuguta iroro, uye ticharizvuzvurudzira pasi kumupata kusvikira pasisina kunyange nechimedu charo chingawanikwa.” Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakati, “Zano raHushai muAriki riri nani pane raAhitoferi.” Nokuti Jehovha aida kukonesa zano rakanaka raAhitoferi kuitira kuti auyise njodzi pamusoro paAbhusaromu. Ipapo Hushai akati kuna Zadhoki naAbhiatari, vaprista, “Ahitoferi arayira Abhusaromu navakuru veIsraeri kuti vaite ichi nechocho. Zvino chituma shoko nokukurumidza uye uudze Dhavhidhi kuti, ‘Musavata pamazambuko omurenje usiku huno; yambukai musamborega, nokuti mambo navanhu vose vaanavo vangamedzwa.’ ” Jonatani naAhimaazi vakanga vachigara paEni Rogeri uye mumwe murandakadzi ndiye aifanira kundovazivisa, uye ivo vachienda kundoudza Mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda muguta. Asi mumwe mujaya akavaona ndokubva andoudza Abhusaromu. Saka vaviri ava vakabva nokukurumidza vakaenda kumba yomumwe murume aiva muBhahurimi. Akanga ane tsime muruvazhe, uye vakapinda mariri. Mukadzi wake akatora chifukidzo akachiwaridza pamusoro pomuromo wetsime uye akayanika zviyo pamusoro pacho. Hakuna akaziva chinhu pamusoro pazvo. Varume vokwaAbhusaromu vakati vasvika kumukadzi akanga ari pamba, vakabvunza vakati, “VanaAhimaazi naJonatani varipi?” Mukadzi akati kwavari, “Vayambuka rukova.” Varume vakatsvaka asi havana munhu wavakawana, saka vakadzokera kuJerusarema. Shure kwokunge varume ava vaenda, vaviri vaya vakakwira vakabuda mutsime uye vakaenda kundozivisa Mambo Dhavhidhi izvozvo. Vakati kwaari, “Simukai izvozvi muyambuke rwizi urwu; Ahitoferi apa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.” Saka Dhavhidhi navanhu vose vakanga vanaye vakasimuka vakayambuka Jorodhani. Kuchiedza, hapana akanga asara asati ayambuka Jorodhani. Ahitoferi akati aona kuti zano rake rakanga risina kutevedzwa, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda kumba kwake muguta rokwake. Akaronga zvose zveimba yake ndokubva azvisungirira. Saka akafa uye akavigwa muhwiro rababa vake. Dhavhidhi akaenda kuMahanaimi, uye Abhusaromu akayambuka Jorodhani navarume vose veIsraeri. Abhusaromu akanga agadza Amasa kuti ave mutungamiri wehondo pachinzvimbo chaJoabhu. Amasa akanga ari mwanakomana womumwe murume ainzi Jeteri, muIsraeri akanga awana Abhigairi, mwanasikana waNahashi uye ari munun'una waZeruya mai vaJoabhu. VaIsraeri naAbhusaromu vakadzika misasa yavo munyika yeGireadhi. Dhavhidhi akati asvika kuMahanaimi, Shobhi mwanakomana waNahashi aibva kuRabha ravaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRo Dhebha, uye Bhazirai muGireadhi wokuRogerimi vakauya nenhoo nembiya nemidziyo yevhu. Vakauyawo negorosi nebhari, upfu hwakatsetseka nezviyo zvakakangwa, nyimo nenyemba, uchi namafuta, makwai uye noruomba rwaibva mumukaka wemhou, kuti Dhavhidhi navanhu vake vadye. Nokuti vakati, “Vanhu vava nenzara, vaneta uye vava nenyota murenje.” Dhavhidhi akaunganidza varume vakanga vanaye uye akagadza pamusoro pavo vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana. Dhavhidhi akatumira varwi achiita kudai: chetatu chavo chichitungamirirwa naJoabhu, chimwe chetatu chichitungamirirwa nomunun'una waJoabhu ainzi Abhishai mwanakomana waZeruya, uye chetatuzve chichitungamirirwa naItai muGiti. Mambo akataurira vanhu kuti, “Zvirokwazvo neni pachangu ndichafamba nemi.” Asi vanhu vakati, “Imi hamufaniri kuenda; kana tikamanikidzirwa kutiza, havambovi nehanya nesu. Kunyange kana hafu yedu ikafa, havambovi nehanya; asi imi munokosha sesu tiri zviuru gumi. Zvingava nani zvino kuti imi mutitsigire muri muguta.” Mambo akati, “Ndichaita zvose zvamunoona zvakakunakirai.” Saka mambo akamira parutivi rwesuo pakanga pachifamba varume vose vachibuda namapoka amazana neezviuru. Mambo akarayira Joabhu, Abhishai naItai akati, “Munzwire henyu jaya nyasha, iye Abhusaromu nokuda kwangu.” Varwi vakafamba vachipinda musango kuti vandorwa navaIsraeri, uye hondo yakarwiwa mudondo raEfuremu. Imomo hondo yeIsraeri yakakundwa navanhu vaDhavhidhi, uye pakava nokufa kukuru zuva iroro, varume zviuru makumi maviri vakafa. Kurwa kwakapararira panyika yose, uye dondo rakauraya vanhu vazhinji pazuva iro kukunda munondo. Zvino zvakaitika kuti Abhusaromu akasangana navanhu vaDhavhidhi. Akanga akatasva hesera rake, uye hesera parakapinda napasi pamatavi makobvu omuti mukuru womuouki, musoro waAbhusaromu wakabatwa mumuti. Akasiyiwa akarembera mudenga, hesera raakanga akatasva rikaramba richienda. Mumwe wavarume akati aona izvi, akati kuna Joabhu, “Ndaona Abhusaromu akarembera mumuti womuouki.” Joabhu akati kumurume akanga amuudza izvozvo, “Watii? Wamuona? Seiko usina kumubayira pasi pakare ipapo? Ipapo ndingadai ndazokupa mashekeri gumia esirivha uye nebhanire romurwi.” Asi murume uyu akati, “Kunyange dai chiuru chamashekerib chakanga chayerwa mumaoko angu, handaigona kusimudzira mwanakomana wamambo ruoko rwangu kuti ndimuuraye. Mambo akakurayirai imi naAbhishai uye naItai isu tichizvinzwa achiti, ‘Mudzivirire jaya Abhusaromu nokuda kwangu.’ Uye kana dai ndanga ndaisa upenyu hwangu panjodzi, uye hapana chakavanzika kuna mambo, imi maizomira kure neni.” Joabhu akati, “Handinganonoki kudai nokuda kwako.” Saka akatora mapfumo matatu mumaoko ake akaanyudza mumwoyo maAbhusaromu, uye Abhusaromu achiri mupenyu mumuti womuouki. Uye vatakuri venhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu gumi vakakomba Abhusaromu, vakamubaya uye vakamuuraya. Ipapo Joabhu akaridza hwamanda, uye varwi vakarega kutevera vaIsraeri, nokuti Joabhu akavamisa. Vakatora Abhusaromu vakamukanda mugomba guru raiva mudondo vakatutira murwi mukuru wamatombo pamusoro pake. Zvichakadaro, vaIsraeri vose vakatiza vakaenda kudzimba dzavo. Panguva youpenyu hwake, Abhusaromu akanga atora mbiru akaimisa muMupata waMambo sechirangaridzo kwaari, nokuti akafunga akati, “Handina mwanakomana angayeuchidza vanhu zita rangu.” Akatumidza mbiru iyo zita rake, uye inonzi Mbiru Yokuyeuchidza Abhusaromu kusvikira nhasi. Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akati, “Regai ndimhanye neshoko kuna mambo rokuti Jehovha amurwira kubva muruoko rwavavengi vake.” Joabhu akati, “Hausiwe unoenda neshoko nhasi. Ungaenda hako neshoko pane dzimwe nguva, asi haufaniri kuita izvozvo nhasi, nokuti mwanakomana wamambo afa.” Ipapo Joabhu akati kumuEtiopia, “Chienda undoudza mambo zvawaona.” MuEtiopia akakotama pamberi paJoabhu uye akamhanya achibvapo. Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, “Kunyange zvakadaro hazvo, ndapota regai ndimhanye nditevere muEtiopia.” Asi Joabhu akapindura akati, “Mwanakomana wangu, unodireiko kuenda? Hauna kana shoko richakupa mubayiro.” Iye akati, “Kunyange zvakadaro hazvo, ndinoda kumhanya ini.” Saka Joabhu akati, “Mhanya!” Ipapo Ahimaazi akamhanya nomunzira yomubani akasiya muEtiopia. Dhavhidhi paakanga agere pakati pamasuo maviri, murindi akakwira pamusoro pedenga resuo reparusvingo. Akati atarisa kunze, akaona murume achimhanya ari oga. Murindi akadanidzira kuna mambo akamuzivisa izvozvo. Mambo akati, “Kana ari oga, anofanira kunge ane shoko rakanaka.” Uye murume akaramba achingoswedera. Ipapo murindi akaonazve mumwe murume achimhanya, akadanidzira kumutariri wesuo akati, “Tarira mumwe ari kumhanya ari oga!” Mambo akati, “Anofanira kunge achiuyawo neshoko rakanaka.” Murindi akati, “Ndinoona sokuti wokutanga anomhanya saAhimaazi mwanakomana waZadhoki.” Mambo akati, “Munhu akanaka iyeye. Ari kuuya namashoko akanaka.” Ipapo Ahimaazi akadanidzira kuna mambo achiti, “Rugare!” Akakotama pamberi pamambo akatsikitsira uso hwake pasi akati, “Jehovha Mwari wenyu ngarumbidzwe! Akaisa kwamuri varume vakanga vachisimudzira maoko avo kuti varwe naishe wangu mambo.” Mambo akabvunza akati, “Ko, jaya Abhusaromu mupenyu here?” Ahimaazi akati, “Ndakaona kunyongana kukuru panguva iyo Joabhu akanga oda kutuma muranda wamambo uye neni, muranda wenyu, asi handina kuziva kuti chaiva chii.” Mambo akati, “Mira parutivi uye usabva pano.” Saka akasudurukira parutivi ndokumirapo. Ipapo muEtiopia akasvika akati, “Ishe wangu mambo, inzwai mashoko akanaka! Jehovha akurwirai nhasi kuna vose vakakumukirai.” Mambo akabvunza muEtiopia akati, “Ko, mujaya Abhusaromu mupenyu here?” MuEtiopia akapindura achiti, “Vavengi vashe wangu mambo navose vanokumukirai kuti vakukuvadzei ngavave sejaya iro.” Mambo akadedera. Akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo akachema. Paaifamba aiti, “Haiwa mwanakomana wangu Abhusaromu! Mwanakomana wangu, mwanakomana wangu Abhusaromu! Dai chete ndafa hangu ini pachinzvimbo chako! Haiwa Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!” Joabhu akaudzwa kuti, “Mambo anochema nokuungudza nokuda kwaAbhusaromu.” Uye kuhondo yose, kukunda kwezuva iro kwakashandurwa kukava kuchema, nokuti pazuva iro, mauto akazvinzwa zvichinzi, “Mambo anochema nokuda kwomwanakomana wake.” Varume vakapinda muguta vachiverevedza savanhu vanoverevedza vachinyara nokuti vatiza kubva kuhondo. Mambo akafukidza chiso chake akachema zvikuru achiti, “Haiwa mwanakomana wangu Abhusaromu! Haiwa Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!” Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo akati, “Nhasi manyadzisa vanhu vose, avo vachangoponesa upenyu hwenyu noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu uye noupenyu hwavakadzi venyu navarongo venyu. Munoda avo vanokuvengai uye munovenga avo vanokudai. Mazviratidza pachena nhasi kuti vatungamiri vehondo navanhu vavo havarevi chinhu kwamuri. Ndinoona kuti maifarira kuti dai Abhusaromu ararama nhasi uye kuti dai tose zvedu tafa. Zvino budai munokurudzira vanhu venyu. Ndinopika naJehovha kuti kana mukasabuda, hakuna munhu achasara nemi usiku huno. Zvichava zvakaipisisa kwamuri kupinda njodzi dzose dzakakuwirai kubva pauduku hwenyu kusvikira zvino.” Saka mambo akasimuka akandoisa chigaro chake pasuo. Vanhu vakati vaudzwa kuti, “Mambo agere pasuo,” vose vakauya pamberi pake. Zvichakadaro, vaIsraeri vakanga vatizira kumisha yavo. Mumarudzi ose avaIsraeri, vanhu vose vakanga vachikakavadzana vachiti, “Mambo akatisunungura kubva muruoko rwavaFiristia. Asi zvino atiza nyika nokuda kwaAbhusaromu; uye Abhusaromu, uyo watakazodza kuti atitonge, afa muhondo. Saka munoregereiko kutaura nezvokudzosa mambo?” Mambo Dhavhidhi akatuma shoko naZadhoki naAbhiatari, vaprista achiti, “Bvunzai vakuru veJudha kuti, ‘Seiko imi mava vokupedzisira kudzosa mambo kumuzinda wake, sezvo zvinotaurwa muIsraeri yose zvasvika pamba pake. Imi muri hama dzangu, muri venyama yangu chaivo uye veropa rangu. Saka maitireiko vokupedzisira kudzosa mambo?’ Uye muti kuna Amasa, ‘Ko, iwe hauzi wenyama yangu uye weropa rangu here? Mwari ngaandirove, ngaarambe achidaro kwazvo, kana kubva zvino zvichienda mberi, iwe ukarega kuva mukuru wehondo yangu panzvimbo yaJoabhu.’ ” Akabata mwoyo yavarume vose veJudha vakaita sokunge vaiva munhu mumwe. Vakatuma shoko kuna mambo vachiti, “Dzokai, imi navanhu venyu mose.” Ipapo mambo akadzoka akasvika paJorodhani. Zvino vanhu veJudha vakanga vasvika kuGirigari kuti vaende kundosangana namambo uye kuti vagomuyambutsa Jorodhani. Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini aibva kuBhahurimi, akakurumidza kuburuka navanhu veJudha kuti vandosangana naMambo Dhavhidhi. Akanga ane vaBhenjamini vaisvika chiuru, pamwe chete naZibha, mutariri weimba yaSauro, uye navanakomana vake gumi navashanu navaranda vake makumi maviri. Vakamhanyira kuJorodhani uko kwakanga kwava namambo. Vakayambuka rukova kuti vandotora veimba yamambo uye kuti vaite zvose zvaaida. Shimei mwanakomana waGera akati ayambuka Jorodhani, akawira pasi nechiso chake pamberi pamambo akati kwaari, “Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka. Regai henyu kurangarira kukanganisa kwakaitwa nomuranda wenyu pazuva rakabva ishe wangu mambo paJerusarema. Mambo ngaazvidzime mundangariro dzake. Nokuti ini muranda wenyu ndinozviziva kuti ndakatadza, asi nhasi ndauya pano sowokutanga weimba yose yaJosefa kuti ndiburuke uye ndizosangana naishe wangu iye mambo.” Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati, “Ko, Shimei haafaniri kuurayiwa nokuda kwaizvozvi here? Akatuka muzodziwa waJehovha.” Dhavhidhi akapindura akati, “Ndineiko nemi, imi vanakomana vaZeruya zvokuti nhasi mava vavengi vangu! Pane munhu angafanira kufa muIsraeri nhasi here? Ko, handizivi here kuti nhasi ndiri mambo weIsraeri?” Saka mambo akati kuna Shimei, “Haungafi.” Uye mambo akamuvimbisa nemhiko. Mefibhosheti muzukuru waSauro, akaburukawo kundosangana namambo. Haana kuva nehanya netsoka dzake kana kuguririra ndebvu dzake kana kusuka nguo dzake kubvira pazuva rakasimuka mambo kusvikira pazuva raakadzoka ari mupenyu. Paakasvika achibva kuJerusarema achindosongana namambo, mambo akamubvunza akati, “Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?” Iye akati, “Ishe wangu mambo, sezvo ini muranda wenyu ndiri chirema, ndakati, ‘Ndichaita kuti mbongoro yangu igadzikwe chigaro uye ndigoitaswa, kuti ndigoenda namambo.’ Asi Zibha muranda wangu akandipandukira. Uye akandorevera nhema muranda wenyu kuna she wangu mambo. Ishe wangu mambo akaita somutumwa waMwari; saka itai henyu zvinokufadzai. Zvizvarwa zvose zvasekuru vangu hazvifanirwi nechimwe chinhu asi rufu ruchibva kunashe wangu mambo, asi makapa muranda wenyu nzvimbo pakati paavo vanodya patafura yenyu. Saka ini ndine mvumo yeiko yokukumbirazve kuna mambo?” Mambo akati kwaari, “Uchataurireiko zvakawanda? Ndinokurayira iwe naZibha kuti mugovane minda.” Mefibhosheti akati kuna mambo, “Ngaatore hake zvinhu zvose, sezvo zvino ishe wangu mambo asvika kumusha ari mupenyu.” Bhazirai muGireadhi akasvikawo achibva kuRogerimi kuti ayambuke Jorodhani namambo uye kuti amuperekedze panzira yake ikoko. Zvino Bhazirai akanga akwegura kwazvo, ava namakore makumi masere. Iye akanga achiriritira mambo panguva yaakanga agere paMahanaimi, nokuti akanga ari munhu akapfuma kwazvo. Mambo akati kuna Bhazirai, “Yambuka pamwe chete neni ugogara neni muJerusarema, uye ini ndichakuriritira.” Asi Bhazirai akapindura mambo akati, “Makore manganiko andichararama, zvokuti ndingafanira kukwira kuJerusarema namambo? Ndava namakore makumi masere. Ndichagona kuziva mutsauko pakati pechakanaka uye nechisina kunaka here? Ko, muranda wenyu achagona kuravira chaanodya nechaanonwa here? Ko, ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi vanoimba here? Muranda wenyu achaitireiko kuti ave mumwe mutoro kuna she wangu mambo? Muranda wenyu achayambuka Jorodhani namambo kwenhambwe pfupi, asi mambo anondipireiko mubayiro wakadai? Regai muranda wenyu adzokere hake, kuti ndinofira muguta rangu pedyo nehwiro hwababa vangu namai vangu. Asi hoyu muranda wangu Kimihami. Ngaayambuke hake nashe iye mambo. Mumuitire henyu zvose zvinokufadzai.” Mambo akati, “Kimihami achayambuka neni, uye ndichamuitira zvose zvinokufadza. Uye zvose zvaunoda kwandiri ndichakuitira.” Saka vanhu vose vakayambuka Jorodhani, uye ipapo mambo akazoyambukawo. Mambo akatsvoda Bhazirai akamuropafadza, uye Bhazirai akadzokera kumba kwake. Mambo akati ayambukira kuGirigari, Kimihami akayambuka naye. Mauto ose eJudha nehafu yavarwi veIsraeri vakanga vayambutsa mambo. Uye varume vose veIsraeri vakauya kuna mambo uye vakati kwaari, “Hama dzedu, varume veJudha, vakabireiko mambo vakamuuyisa neimba yake mhiri kweJorodhani, pamwe chete navanhu vake vose?” Varume vose veJudha vakapindura varume veIsraeri vachiti, “Takaita izvi nokuti mambo ihama yedu yapedyo. Seiko imi matsamwiswa nazvo? Tambodya here zvinhu zvamambo? Tambozvitorera kana chinhu chimwe chete here?” Ipapo varume veIsraeri vakapindura varume veJudha vakati, “Tine migove gumi muna mambo; uye zvisiri izvozvo chete, Dhavhidhi ndowedu kukunda imi. Saka seiko imi muchitizvidza? Ko, hatizisu takatanga kutaura kuti mambo adzoke here?” Asi varume veJudha vakapindura nehasha kwazvo kupfuura varume veIsraeri. Zvino nhubu yainzi Shebha mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini, aivapowo. Akaridza hwamanda akadanidzira achiti, “Isu hatina mugove muna Dhavhidhi, hatina chikamu mumwanakomana waJese! Munhu wose ngaaende kutende rake, imi vaIsraeri!” Saka varume vose veIsraeri vakasiya Dhavhidhi kuti vatevere Shebha mwanakomana waBhikiri. Asi varume veJudha vakagara namambo wavo kubva kuJorodhani kusvikira kuJerusarema. Dhavhidhi akati adzokera kumuzinda wake muJerusarema, akatora varongo vake vaakanga asiya kuti vachengete muzinda akavaisa mumba vakachengetwa. Iye akavariritira asi haana kuvata navo. Vakanga vakapfigirwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vachirarama sechirikadzi. Ipapo mambo akati kuna Amasa, “Dana varume veJudha vauye kwandiri pakati pamazuva matatu, uye newe uve pano.” Asi Amasa akati aenda kundodana Judha, akatora nguva yakareba kupfuura yaakanga atarirwa namambo. Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Zvino Sheba mwanakomana waBhikiri achatiitira zvakaipa kupfuura zvakaitwa naAbhusaromu. Tora varanda vatenzi wako umutevere, zvimwe angawana maguta akakomberedzwa uye akatipunyuka.” Saka vanhu vaJoabhu uye vaKereti navaPereti nemhare dzose vakabuda vachitungamirirwa naAbhishai. Vakafamba vachibva kuJerusarema vachitevera Shebha mwanakomana waBhikiri. Vakati vari padombo guru muGibheoni, Amasa akauya kuzosangana navo. Joabhu akanga akapfeka nguo yake yokurwa, uye pairi paiva nebhanire rakasungirwa pachiuno chake rine munondo waiva mumuhara wawo. Zvino akati achienda mberi, wakadonha kubva mumuhara wawo. Joabhu akati kuna Amasa, “Wakadiniko, munun'una wangu?” Ipapo Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi kuti amutsvode. Amasa akanga asina kuona munondo waiva muruoko rwaJoabhu, uye Joabhu akaunyudza mudumbu make, uye ura hwake hukawira pasi. Asina kunge abayiwazve, Amasa akafa. Ipapo Joabhu nomunun'una wake vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri. Mumwe wavanhu vaJoabhu akamira parutivi rwaAmasa akati, “Ani naani anoda Joabhu, uye ani naani ari waDhavhidhi, ngaatevere Joabhu!” Amasa akavata achiumburuka muropa rake pakati pomugwagwa. Uye mumwe murume akaona kuti mauto ose aiuya achimira ipapo. Paakaona kuti munhu wose aisvika pana Amasa aimira, akamukweva kubva mumugwagwa akamuisa musango uye akakanda nguo pamusoro pake. Shure kwokunge Amasa abviswa mumugwagwa, varume vose vakapfuurira mberi naJoabhu vachitevera Shebha mwanakomana waBhikiri. Sheba akapfuura nomumarudzi ose aIsraeri kusvikira kuAbheri Bheti Maaka uye nomudunhu rose ravaBheri, avo vakaungana pamwe chete vakamutevera. Vakauya vakamukomba paShebha muAbheri Bheti Maaka. Vakavaka rusvingo rwevhu rukasvika kuguta, uye rwakamira rwakatarisana nenhare dzokunze. Pavakanga vachiputsa rusvingo, mukadzi akangwara akadanidzira ari muguta akati, “Inzwai! Inzwai! Taurirai Joabhu kuti auye pano kuti ndigotaura naye.” Akaenda kwaari, iye akamubvunza akati, “Ndiwe Joabhu here?” Akapindura akati, “Ndini.” Mukadzi akati, “Teererai zvinoreva murandakadzi wenyu.” Iye akati, “Ndakateerera.” Mukadzi akaenderera achiti, “Kare kare vaisimboti, ‘Tora mhinduro yako paAbheri,’ uye zvaipera ipapo. Isu tiri vorugare navakatendeka muIsraeri. Uri kuedza kuparadza guta rinova ndiro mai muIsraeri. Seiko uchida kumedza nhaka yaJehovha?” Joabhu akati, “Ngazvive kure neni! Ngazvive kure neni kuti ndimedze kana kuparadza! Hazvina kudaro. Asi murume anonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, anobva kunyika yamakomo yaEfuremu, ndiye akasimudza ruoko rwake kuti arwise mambo, kuti arwise Dhavhidhi. Uyai nomurume mumwe chete iyeye, ipapo ndichabva paguta.” Mukadzi akati kuna Joabhu, “Musoro wake uchakandwa kwauri naparusvingo.” Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nezano rake, uye vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri vakaukanda kuna Joabhu. Saka Joabhu akaridza hwamanda, uye vanhu vake vakapararira vachibva paguta, mumwe nomumwe achidzokera kumba kwake. Uye Joabhu akadzokera kuna mambo muJerusarema. Joabhu akanga ari mukuru wehondo yose yeIsraeri; Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari mukuru wavaKereti navaPareti; Adhoniramu akanga ari mutaririri wavashandi vechibharo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi akanga ari munyori wenhoroondo, Shevha akanga ari munyori; Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista; uye Ira muJairi aiva muprista waDhavhidhi. Panguva yokutonga kwaDhavhidhi, kwakava nenzara makore matatu achiteverana; saka Dhavhidhi akatsvaka chiso chaJehovha. Jehovha akati, “Imhaka yaSauro neimba yake yeropa; imhaka yokuti akauraya vaGibheoni.” Mambo akadana vaGibheoni akataura navo. (Zvino vaGibheoni vakanga vasiri vorudzi rwavaIsraeri asi vakanga vari vakasara vavaAmori; vakanga vapikirwa navaIsraeri kuti vasaurayiwe, asi Sauro mukushingaira kwake nokuda kwavaIsraeri navaJudha akaedza kuvaparadza.) Dhavhidhi akabvunza vaGibheoni akati, “Ndingakuitirai chiiko? Ndingayananisa neiko kuitira kuti mugoropafadza nhaka yaJehovha?” VaGibheoni vakamupindura vachiti, “Hatina kodzero yokureva sirivha negoridhe kuna Sauro kana kumhuri yake, uye hatina kodzero yokuuraya munhu muIsraeri.” Dhavhidhi akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakapindura mambo vakati, “Kana ari munhu akatiparadza uye akaita rangano yokuti tipere uye tishayiwe nzvimbo kupi zvako muIsraeri, zvizvarwa zvake zvechirume zvinomwe ngazvipiwe kwatiri kuti zviurayiwe uye zviiswe pachena pamberi paJehovha paGibhea raSauro musanangurwa waJehovha.” Saka mambo akati, “Ndichavapa kwamuri.” Mambo akararamisa Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwemhiko pamberi paJehovha pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro. Asi mambo akatora Arimoni naMefibhosheti, vanakomana vaviri vaRizipa mwanasikana waAya, waakanga aberekera Sauro, pamwe chete navanakomana vashanu vaMerabhi mwanasikana waSauro, waakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBhazirai muMehorati. Akavaisa mumaoko avaGibheoni, ivo vakavasungirira pachikomo pamberi paJehovha. Vose vari vanomwe vakafa pamwe chete; vakaurayiwa panguva yokutanga kukohwa, pakutanga kwokukohwewa kwebhari. Rizipa mwanasikana waAya akatora nguo yesaga akazviwaridzira pamusoro pedombo. Kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira pakunaya kwemvura ichibva kudenga pamusoro pemitumbi yavo, haana kutendera shiri dzedenga kuti dzivabate masikati kana zvikara zvesango usiku. Dhavhidhi akati ataurirwa zvakaitwa naRizipa, mwanasikana waAya, murongo waSauro, akaenda akandotora mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva kuvagari veJabheshi Gireadhi. Vakanga vaatora muchivande kubva pachivara chapaBheti Shani, uko kwavakanga vaturikwa navaFiristia shure kwokunge vauraya Sauro paGiribhoa. Dhavhidhi akauya namapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva ikoko, uye mapfupa aavo vakanga vaurayiwa vakaiswa pachena akaunganidzwa. Vakaviga mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake muhwiro hwaKishi baba vaSauro, paZara muBhenjamini, uye vakaita zvose zvavakarayirwa namambo. Shure kwaizvozvo, Mwari akapindura munyengetero wokumiririra nyika. Kwakavazve nehondo pakati pavaFiristia navaIsraeri. Dhavhidhi akaburuka navanhu vake kundorwa navaFiristia, uye akaneta kwazvo. Uye Ishi-Bhenoni, mumwe wezvizvarwa zvaRafa, aiva nomusoro wepfumo wairema mazana matatu amashekeria uye akapakata munondo mutsva, akati achauraya Dhavhidhi. Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akanunura Dhavhidhi; akabayira muFiristia pasi akamuuraya. Ipapo vanhu vaDhavhidhi vakapika kwaari vachiti, “Hamuchazomboendizve nesu kuhondo, kuitira kuti mwenje weIsraeri urege kuzodzimwa.” Shure kwaizvozvo, kwakavazve nokurwa navaFiristia, paGobhi. Panguva iyoyo Sibhekai muHushati akauraya Safi, mumwe wezvizvarwa zvaRafa. Pano kumwe kurwa navaFiristia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJoare-Oregimi muBheterehema akauraya Goriati muGiti, akanga ane pfumo raiva nerwiriko rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki. Pano kumwe kurwazve, kwakaitika paGati, pakanga pane hofori yomurume akanga ane minwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe uye zvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvose zviri makumi maviri nezvina. Naiyewo akanga ari chizvarwa chaRafa. Akati achishora Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, munun'una waDhavhidhi, akamuuraya. Ava vari vana vakanga vari zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakafa pamaoko aDhavhidhi navanhu vake. Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati: “Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu uye mununuri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu. Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu, munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba. Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu. “Mafungu orufu akandikomba; mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza. Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakandivinga. Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadanidzira kuna Mwari wangu. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake. “Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka; dzakadedera nokuti akanga atsamwa. Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akapfutamo. Akakamura matenga akaburuka pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka mudengadenga pamapapiro emhepo. Akaita kuti rima rimupoteredze setende, iwo makore matema emvura yokudenga. Kubva pakupenya kwouripo hwake mabhanan'ana emheni akapenya. Jehovha akatinhira ari kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rakanzwikazve. Akapfura miseve akaparadzira vavengi, mabhanan'ana emheni akavaparadza. Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha, nokufema kwomweya nemhino dzake. “Akatambanudza ruoko ari kudenga uye akandibata; akandibudisa kubva pamvura yakadzika. Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi, vakanga vachindikurira pasimba. Vakandivinga muzuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira. “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu; maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka kubva pamitemo yake. Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza. Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu, maererano nokuchema kwangu pamberi pake. “Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu, kune vakachena munozviratidza makachena, asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha. Munoponesa vanozvininipisa, asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze. Imi muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza. Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa nechikwata chavarwi; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo. “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu? NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu. Anoita tsoka dzangu setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, munokotamira pasi kuti mundikurise. Munotambanudza nzira pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka. “Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza; handina kudzoka kusvikira vaparadzwa. Ndakavaparadza zvachose, uye havana kugona kumuka; vakawira pasi petsoka dzangu. Makandishongedza nesimba rokurwa. makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu. Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa, uye ndakaparadza vavengi vangu. Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura. Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika; ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha. Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu; makandichengetedza somutungamiri wendudzi. Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu. Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera, pavanongondinzwa vanonditeerera. Vose vanoora mwoyo; vanouya vachidedera kubva panhare dzavo. “Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari, iye Dombo, Muponesi wangu! Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu, anondisunungura kubva kuvavengi vangu. Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu; kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura. Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi; ndicharumbidza zita renyu nenziyo. Iye anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.” Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi: “Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese, Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro, murume akazodzwa naMwari waJakhobho, muimbi wenziyo waIsraeri: “Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni; shoko rake rakanga riri parurimi rwangu. Mwari waIsraeri akataura, Dombo raIsraeri akati kwandiri: ‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama, kana achitonga mukutya Mwari, akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva mangwanani kusina makore, sokujeka kwezuva shure kwokunaya kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’ “Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here? Nokuti akaita sungano isingaperi neni, yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose. Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu uye agondipa zvose zvandinoda here? Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa, isingaunganidzwi noruoko. Ani naani anobata minzwa anoshandisa mudziyo wesimbi kana rwiriko rwepfumo; uye ichapiswa zvachose pairi ipapo.” Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhi-Bhashebheti, muTakemoni, akanga ari mukuru waVatatu; akasimudza pfumo rake achirwa navarume mazana masere, akavauraya panguva imwe chete. Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure, asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete. Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo. Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru. Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema. Dhavhidhi akapanga mvura akati, “Haiwa, dai mumwe andiwanirawo mvura yokunwa patsime riri pedyo reBheterehema!” Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha. Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nemhare nhatu. Abhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu. Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhuzeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo. Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake. Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare. Iye akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake. Pakati pavaya Makumi Matatu paiti: Asaheri munun'una waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema, Shama muHarodhi, Erika muHarodhi, Herezi muPariti, Ira mwamakomana waIkeshi aibva kuTekoa, Abhiezeri aibva kuAnatoti, Mebhunai muHushati, Zarimoni muAhohi, Maharai muNetofati, Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati, Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini, Bhenaya muPiratoni, Hidhai aibva kuhova dzeGaashi, Abhi-Aribhoni muAribhati, Azimavheti muBharuhumi, Eriabha muShaaribhoni, mwanakomana waJasheni, Jonatani mwanakomana waShama muHarari, Ahiami mwanakomana waSharari muHarari, Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati, Eriamu mwanakomana waAhitoferi muGironi, Heziro muKarimeri, Paarai muAribhiti, Igari mwanakomana waNatani aibva kuZobha, mwanakomana waHagiri, Zereki muAmoni, Naharai muBheeroti, mutakuri wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya, Ira muItiri, Garebhi muItiri naUria muHiti. Vose vaiva makumi matatu navanomwe pamwe chete. Kutsamwa kwaMwari kwakava pamusoro pavaIsraeri zvakare, uye akakurudzira Dhavhidhi achiti, “Enda undoverenga vaIsraeri navaJudha.” Saka mambo akati kuna Joabhu navakuru vehondo vaiva naye, “Endai pakati pamarudzi ose avaIsraeri kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha mundonyora varume vokurwa, kuti ndizive kuti vangani varipo.” Asi Joabhu akapindura mambo achiti, “Jehovha Mwari wenyu ngaawanze varwi kakapetwa kupfuura rune zana, uye meso ashe wangu mambo azvione. Asi ishe wangu mambo anodireiko kuita chinhu chakadai?” Kunyange zvakadaro, shoko ramambo rakakunda raJoabhu navatungamiri vehondo; saka vakabva pamberi pamambo kuti vandonyora varume vokurwa muIsraeri. Shure kwokuyambuka Jorodhani, vakadzika matende avo pedyo neAroeri, zasi kweguta riri mumupata, uye ipapo vakaenda napakati peGadhi nokuJazeri. Vakaenda kuGireadhi nokudunhu reTahitimi Hodhishi, uye napaDhani Joani uye vakapoterera nokuSidhoni. Ipapo vakaenda vakananga kunhare yeTire nokumaguta ose avaHivhi navaKenani. Pakupedzisira, vakaenda kuBheerishebha zasi kweJudha. Mushure mokuenda kwavo munyika yose, vakadzoka kuJerusarema papera mwedzi mipfumbamwe namazuva makumi maviri. Joabhu akazivisa uwandu hwavanhu kuna mambo akati: MuIsraeri makanga mune mazana masere ezviuru zvavarume vakanga vakasimba uye vaigona kubata munondo, uye muJudha maiva namazana mashanu ezviuru. Hana yaDhavhidhi yakarova shure kwokuverenga kwake varume vokurwa, akati kuna Jehovha, “Ndatadza zvikuru pane zvandaita. Haiwa Jehovha, zvino ndinokukumbirai, bvisa mhaka yomuranda wenyu. Ndaita chinhu choupenzi kwazvo.” Zvino Dhavhidhi akati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kuna Gadhi muprofita, muoni waDhavhidhi richiti, “Enda undoudza Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chazvo kuti ndichiite pamusoro pako.’ ” Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Unoda kuti munyika yako muve nenzara kwamakore matatu here? Kana kuti mwedzi mitatu yokutiza kubva kuvavengi vako ivo vachikudzinganisa? Kana kuti mazuva matatu edenda munyika yako? Zvino funga pamusoro pazvo ugosarudza kuti ndingandopindura sei iye andituma.” Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakutambudzika kukuru. Ngatiwirei hedu mumaoko aJehovha, nokuti ngoni dzake ihuru; asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.” Saka Jehovha akatuma denda pamusoro peIsraeri kubva mangwanani iwayo kusvikira panguva yakatarwa, uye vanhu zviuru makumi manomwe vakafa kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha. Mutumwa akati atandavadza ruoko rwake kuti aparadze Jerusarema, Jehovha akazvidemba nokuda kwenjodzi iyi akati kumutumwa akanga achiparadza vanhu, “Zvaringana! Dzora ruoko rwako.” Mutumwa waJehovha ipapo akanga ava paburiro raArauna muJebhusi. Dhavhidhi akati aona mutumwa akanga achiuraya vanhu, akati kuna Jehovha, “Ini ndini ndakatadza uye ndikaita zvakaipa. Ava vanongova havo makwai chete. Chiiko chavakaita? Ruoko rwenyu ngaruwire pamusoro pangu ini nemhuri yangu.” Pazuva iro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Kwira undovakira Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.” Saka Dhavhidhi akakwira sezvaakanga arayirwa naJehovha kubudikidza naGadhi. Arauna akati atarisa akaona mambo navanhu vake vachiuya vakananga kwaari, akabuda akandokotamira pasi pamberi pamambo chiso chake chakatsikitsira pasi. Arauna akati, “Seiko ishe wangu mambo auya kumuranda wake?” Dhavhidhi akapindura akati, “Kuzotenga buriro rako, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda riri pamusoro pavanhu rigume.” Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ishe wangu mambo ngaatore zvose zvinomufadza agozvipira kuna Jehovha. Hedzi nzombe dzechibayiro chinopiswa, uye iyi mipuro namajoko enzombe kuti dzive huni. Haiwa mambo, Arauna anopa zvose izvi kuna mambo.” Arauna akatizve kwaari, “Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei.” Asi mambo akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kuzvitenga kwauri. Handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.” Saka Dhavhidhi akatenga buriro uye nenzombe uye akazvipira makumi mashanu amashekeria esirivha. Dhavhidhi akavakira Jehovha aritari ipapo uye akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo Jehovha akapindura munyengetero wokukumbirira nyika, uye denda rikapera pamusoro peIsraeri. Mambo Dhavhidhi akanga akwegura, ava namakore mazhinji, asi akanga asingadziyirwi kunyange vaimufukidza namagumbeze. Naizvozvo, varanda vake vakati kwaari, “Ngatitsvakirei mambo wedu mhandara kuti imushandire nokumuchengeta. Acharara padivi pake kuti ishe mambo wedu adziyirwe.” Naizvozvo, vakatsvaka musikana akanaka munyika yose yeIsraeri, vakawana Abhishagi, muShunami, vakauya naye kuna mambo. Musikana uyu akanga akanaka kwazvo; uye akachengeta mambo akamushandira, asi mambo haana kurara naye somukadzi wake. Zvino Adhoniya, uyo aiva namai vainzi Hagiti, akazvisimudzira akati, “Ini ndichava mambo.” Naizvozvo, akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake. Baba vake vakanga vasina kana kumbomutsiura paupenyu hwake hwose vachiti, “Ko, izvi nezvizvi wazviitirei?” Akanga ari murume akanaka pachiso chake uye ndiye aitevera Abhusaromu pakuberekwa. Adhoniya akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari muprista uye vakamutsigira. Asi Zadhoki muprista, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, Natani muprofita, Shimei, naRei, namauto apamusoro aDhavhidhi, havana kutevera Adhoniya. Adhoniya akabayira makwai, mombe nemhuru dzakakodzwa paDombo reZohereti, pedyo nepaEnirogeri. Akakoka vakoma navanun'una vake vose, vanakomana vamambo, navarume vose veJudha vaiva vakuru vakuru, asi haana kukoka Natani muprofita, kana Bhenaya, kana mauto apamusoro, kana Soromoni munun'una wake. Ipapo Natani akabvunza Bhatishebha, mai vaSoromoni akati, “Hauna kunzwa here kuti Adhoniya, mwanakomana waHagiti, atova mambo ishe wedu Dhavhidhi asingazvizivi? Zvino chirega ndikubayire zanhi kuti uponese upenyu hwako noupenyu hwomwanakomana wako Soromoni. Chitoenda izvozvi kuna mambo Dhavhidhi unoti kwaari, ‘Ishe wangu mambo, hamuna kupikira ini murandakadzi wenyu here muchiti, “Zvirokwazvo Soromoni mwanakomana wako ndiye achanditevera paumambo, uye ndiye achagara pachigaro changu choushe?” Zvino Adhoniya ava mambo sei?’ Zvino iwe paunenge uchiri kutaura namambo, ini ndichapindawo ndichisimbisa zvaunenge wataura.” Naizvozvo, Bhatishebha akaenda kundoona mambo mumba make. Mambo akanga akwegura kwazvo, uye Abhishagi muShunami akanga achimushandira. Bhatishebha akakotama, akapfugama pamberi pamambo. Mambo akati, “Unodeiko?” Iye akati kwaari, “Ishe wangu, makapikira muranda wenyu naJehovha Mwari wenyu mukati, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achatevera paumambo, ndiye achagara pachigaro changu choushe.’ Asi zvino Adhoniya ava mambo, kunyange imi musingazvizivi. Abayira mombe dzakawanda, mhuru dzakakodzwa, namakwai, uye akoka vanakomana vose vamambo, Abhiatari muprista naJoabhu mutungamiri wamauto, asi haana kukoka Soromoni muranda wenyu. Zvino ishe wangu mambo, meso eIsraeri yose akatarisa kwamuri, kuti muvaudze kuti ndiani achagara pachigaro choushe chaishe wangu mambo, mushure make. Kana musina kudaro, kana ishe wangu mambo aradzikwa namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichanzi tine mhosva.” Achiri kutaura namambo, Natani muprofita akabva asvika. Zvino vakaudza mambo kuti, “Natani muprofita ari pano.” Naizvozvo akaenda pamberi pamambo, akakotamisa uso hwake pasi. Natani akati, “Ishe wangu, mambo wangu, mareva here kuti Adhoniya ndiye achava mambo mushure menyu, uye kuti ndiye achagara pachigaro chenyu choushe? Nhasi aburuka akandobayira mombe dzakawanda, mhuru dzakakodzwa, namakwai. Akoka vanakomana vose vamambo, vatungamiri vamauto naAbhiatari muprista. Izvozvi vari kudya nokunwa naye vachiti, ‘Mambo Adhoniya ngaararame makore akawanda!’ Asi haana kukoka ini muranda wenyu naZadhoki muprista, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni. Izvi ndizvo here zvaitwa naishe wangu mambo vasina kuudza varanda vavo kuti ndiani achagara pachigaro choushe chaishe mambo wangu mushure mavo.” Ipapo Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidanirei Bhatishebha.” Naizvozvo iye akauya kuna mambo akamira pamberi pake. Zvino mambo akapika akati, “Kana Jehovha wangu ari mupenyu, uyo akandinunura pamatambudziko ose, zvirokwazvo, nhasi ndichazadzisa zvandakakupikira naJehovha, Mwari waIsraeri kuti, ‘Mwanakomana wako Soromoni achanditevera paumambo, uye achagara pachigaro changu choushe panzvimbo pangu.’ ” Ipapo Bhatishebha akakotama pasi nechiso chake akapfugamira mambo akati, “Ishe wangu, Mambo Dhavhidhi, ngaararame nokusingaperi!” Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidanirei Zadhoki muprista, Natani muprofita naBhenaya mwanakomana waJehoyadha.” Ivo vakati vauya pamberi pamambo, iye akati kwavari, “Endai navaranda vaishe, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu chairo mugoenda naye zasi kuGihoni. Ikoko, Zadhoki muprista naNatani muprofita ngavamuzodze kuti ave mambo weIsraeri. Muridze hwamanda mugodanidzira muchiti, ‘Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!’ Zvino imi muchauya muchimutevera, kuti iye auye azogara pachigaro changu choushe, nokuti achava mambo panzvimbo pangu, uye ndamugadza kuti ave mutongi weIsraeri neJudha.” Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akapindura akati, “Ameni! Jehovha, Mwari waishe mambo wangu, ngaadarowo! Jehovha sezvaaiva naishe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, aite kuti chigaro chake choushe chive chikuru kupfuura chigaro choushe chaishe wangu Mambo Dhavhidhi!” Naizvozvo Zadhoki muprista, Natani muprofita, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, vaKereti navaPereti vakadzika, vakatasvisa Soromoni pahesera raMambo Dhavhidhi, vakamutungamirira kuenda kuGihoni. Zadhoki muprista akatora gonamombe ramafuta mutende akazodza Soromoni. Ipapo vakaridza hwamanda vanhu vose vakadanidzira vachiti, “Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!” Zvino vanhu vose vakamutevera vachiridza mabhosvo vachipembera zvikuru zvokuti pasi pakatinhira noruzha rwavo. Adhoniya navose vaakanga akoka, vaakanga anavo, vakazvinzwa pavakanga vopedza kudya, Joabhu akati achinzwa ruzha rwehwamanda, akabvunza, akati, “Mheremhere yose iyi muguta ndeyeiko?” Achiri kutaura kudaro, Jonatani, mwanakomana waAbhiatari muprista, akasvika. Adhoniya akati, “Pinda! Murume akatendeka sewe anofanira kunge achiuya namashoko akanaka.” Jonatani akapindura akati, “Kwete, kwete! Ishe wedu Mambo Dhavhidhi agadza Soromoni paumambo. Mambo amutuma naZadhoki muprista, Natani muprofita, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, vaKereti navaPereti, uye vamutasvisa hesera ramambo, uye Zadhoki muprista naNatani muprofita vamuzodza kuti ave mambo paGihoni. Vabva ikoko vachipembera, zvokuti guta rose rangova zhowezhowe. Ndiyo mheremhere yamuri kunzwa. Pamusoro paizvozvo, Soromoni agara pachigaro choushe. Uyezve, machinda amambo auya kuzokorokotedza ishe wedu Mambo Dhavhidhi achiti, ‘Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni rive nomukurumbira kupfuura renyu, uye chigaro chake choushe ngachive chakakura kupfuura chenyu!’ Zvino mambo akotama pamubhedha pake akanamata, akati, ‘Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe, iye anditendera kuti ndione mumwe wavana vangu achigara pachigaro changu choushe nhasi.’ ” Zvino vose vakanga vakokwa naAdhoniya vakabatwa nokutya vakasimuka vakati uyu ananga kwake, uyu ananga kwake. Asi Adhoniya akatya Soromoni, akasimuka akaenda kundobata nyanga dzearitari. Soromoni akaudzwa kuti, “Tarirai, Adhoniya ari kutya Mambo; hoyo atobata nyanga dzearitari achiti, ‘Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi kuti haasi kuzouraya muranda wake nomunondo.’ ” Zvino Soromoni akati, “Kana akazova munhu kwaye, hakuna rubvudzi rwomusoro wake ruchawira pasi; asi zvakaipa zvikawanikwa maari, achafa.” Ipapo Mambo Soromoni akatuma varume vakandouya naye kubva paaritari. Zvino Adhoniya akauya akakotamira Mambo Soromoni, Soromoni akati kwaari, “Enda kumba kwako.” Zvino nguva yokufa kwaDhavhidhi yakati yoswedera, akarayira Soromoni mwanakomana wake, achiti, “Ndava pedyo nokuenda nenzira yenyika yose. Naizvozvo iva munhu akasimba, uve murume, ucherechedze zvose zvinodiwa naJehovha Mwari wako: Famba munzira dzake, chengeta zvaakatema, mirayiro yake, mitemo yake nezvaanoda, sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, kuti ugobudirira pazvose zvaunoita nakwose kwaunoenda. Ipapo Jehovha achasimbisa shoko rake raakataura pamusoro pangu rokuti, ‘Kana vana vako vakachenjerera nzira yavo, vakafamba pamberi pangu nokutendeka, nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, hapangatongoshayikwi munhu achakutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’ “Zvino iwe pachako unoziva zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, zvaakaita kuvatungamiri vaviri vehondo dzaIsraeri, Abhuna mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri. Akavauraya, akateura ropa ravo panguva yorugare sokunge vakanga vari muhondo, uye ropa iroro akarizora pabhanire raiva muchiuno chake napashangu dzetsoka dzake. Ita zvaunogona naye nouchenjeri hwako, asi usatendera musoro wake wachena kuti upinde muguva norugare. “Asi uitire unyoro vanakomana vaBharizira wokuGireadhi, uye ngavave pakati paavo vanodya patafura yako. Vakamira neni pandakatiza mukoma wako Abhusaromu. “Rangarira kuti unayewo Shimei, mwanakomana waGera, muBhenjamini wokuBhahurimu, uyo akandituka zvakaipa kwazvo musi wandakaenda kuMahanaimu. Paakadzika kuzosangana neni paJorodhani, ndakapika kwaari naJehovha ndikati, ‘Handisi kuzokuuraya nomunondo.’ Asi zvino usamutora somunhu asina mhosva. Iwe uri murume ane uchenjeri, uchaziva zvokuita naye. Uburutsire musoro wake wachena, kuguva muropa.” Ipapo Dhavhidhi akavata namadzibaba ake, akavigwa muGuta raDhavhidhi. Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni namakumi matatu namatatu muJerusarema. Naizvozvo Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, ushe hwake hukasimbiswa. Zvino Adhoniya, mwanakomana waHagiti, akaenda kuna Bhatishebha, mai vaSoromoni. Bhatishebha akamubvunza akati, “Ko, wauya norugare here?” Iye akapindura akati, “Hongu, norugare.” Ipapo akaenderera mberi akati, “Ndine zvimwe zvandinoda kutaura kwamuri.” Iyewo akapindura akati, “Taura zvako.” Iye akati, “Sezvamunoziva, umambo hwaiva hwangu. VaIsraeri vose vaitarisira kuti ndichatonga. Asi zvinhu zvakashanduka, umambo hukaenda kumunun'una wangu; nokuti hwakava hwake nokuda kwaJehovha. Asi zvino ndinokumbira chinhu chimwe chete kwamuri, musandirambira.” Iye akati kwaari, “Taura zvako.” Saka akaenderera mberi akati, “Ndapota, kumbirai Mambo Soromoni, haambokurambirai, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu.” Bhatishebha akapindura akati, “Zvakanaka, ndichandosuma nyaya iyi kuna mambo.” Naizvozvo Bhatishebha akaenda kuna Mambo Soromoni kundosuma nyaya yaAdhoniya. Mambo akasimuka akasangana naye, akakotamira mai vake, akagara pachigaro chake choushe. Akarayira kuti chigaro choushe chiunzirwe mai vamambo, ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi. Ipapo vakati, “Ndine chikumbiro chidiki kwauri. Usandirambira zvako.” Mambo akapindura akati, “Kumbirai henyu, mai, handikurambiriyi.” Ivo vakati, “Adhoniya mukoma wako, ngaapiwe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wake.” Mambo Soromoni akapindura mai vake akati, “Sei muchikumbirira Adhoniya, Abhishagi muShunami? Mungatomukumbirirawo umambo, zvaari mukoma wangu, mumukumbirire iye naAbhiatari muprista, naJoabhu mwanakomana waZeruya.” Zvino Mambo Soromoni akapika naJehovha akati, “Mwari ngaandirange zvakaomarara kana Adhoniya akasaripa chikumbiro ichi noupenyu hwake! Zvino kana Jehovha wangu ari mupenyu, uyo akandisimbisa zvakakwana pachigaro choushe chababa vangu Dhavhidhi, akandigadzirira umambo sezvaakavimbisa, Adhoniya achaurayiwa nhasi.” Naizvozvo Mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuuraya. Mambo akati kuna Abhiatari muprista, “Dzokera kuAnatoti, kunyika yako. Unofanira kufa. Asi handisi kuzokuuraya iye zvino, nokuti wakatakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi ukatambudzika navo pamatambudziko avo ose.” Naizvozvo Soromoni akabvisa Abhiatari pauprista hwaJehovha, akazadzisa shoko rakanga rataurwa naJehovha paShiro pamusoro peimba yaEri. Zvino shoko iri rakati rasvika kuna Joabhu, uyo akanga aita rangano naAdhoniya asi kwete naAbhusaromu, iye akatizira kutende raJehovha akandobata nyanga dzearitari. Mambo Soromoni akaudzwa kuti Joabhu akanga atizira kutende raJehovha uye kuti akanga ari paaritari. Ipapo Soromoni akarayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akati, “Enda undomuuraya!” Saka Bhenaya akapinda mutende raJehovha akati kuna Joabhu, “Zvanzi namambo, ‘Buda.’ ” Asi iye akapindura akati, “Kwete, ndichafira pano.” Bhenaya akandoti kuna mambo, “Aya ndiwo mapindurirwo andaitwa naJoabhu.” Ipapo mambo akarayira Bhenaya akati, “Ita sezvaareva. Muuraye ugomuviga, naizvozvo undichenese pamwe chete neimba yababa vangu pamhosva yeropa rakateurwa naJoabhu rakanga risina mhosva. Jehovha achadzorera ropa rake pamusoro wake, nokuti akauraya varume vaviri vakanga vakarurama kupfuura iye, vakanga vari nani pana iye, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, Abhuna mwanakomana waNeri, mutungamiri wehondo yaIsraeri naAmasa mwanakomana waJeteri, mutungamiri wehondo yeJudha. Ropa ravo ngaridzokere pamusoro waJoabhu, napamusoro pemhuri yake nokusingaperi. Asi rugare runobva kuna Jehovha ngaruve pana Dhavhidhi, naparudzi rwake, napaimba yake, napachigaro chake choushe nokusingaperi.” Naizvozvo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akaenda akandouraya Joabhu, akavigwa muguva rake murenje. Zvino mambo akagadza Bhenaya mwanakomana waJehoyadha somukuru wehondo panzvimbo yaJoabhu, uye akagadza Zadhoki somuprista panzvimbo yaAbhiatari. Ipapo mambo akatuma munhu kuti andodana Shimei akati kwaari, “Zvivakire imba muJerusarema uye ugogaramo, asi usaenda kumwe kunhu. Musi waunobvamo uchiyambuka Rukova rweKidhironi, ziva kuti uchafa; ropa rako richava pamusoro pako.” Shimei akapindura mambo akati, “Zvamataura zvakanaka. Muranda wenyu achaita sezvataurwa naishe wangu mambo.” Naizvozvo Shimei akagara muJerusarema kwenguva yakareba. Asi mushure mamakore matatu, varanda vaShimei vaviri vakatiza vakaenda kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati, Shimei akaudzwa kuti, “Varanda vako vari kuGati.” Ipapo akasungira chigaro pambongoro yake akaenda kuna Akishi kuGati kundotsvaga varanda vake. Naizvozvo Shimei akaenda akandotora varanda vake kubva kuGati. Soromoni akati audzwa kuti Shimei akanga abuda muJerusarema akaenda kuGati uye kuti akanga adzoka, Mambo akadana Shimei akati kwaari, “Handina here kukupikisa naJehovha ndikakuyambira ndichiti, ‘Nomusi wauchabva uchienda kumwe, ziva kuti uchafa.’ Panguva iyoyo wakati kwandiri, ‘Zvamataura zvakanaka. Ndichateerera.’ Zvino sei usina kuchengeta mhiko yako kuna Jehovha nokutevera mutemo wandakakupa?” Mambo akatiwo kuna Shimei, “Mumwoyo mako unoziva zvose zvawakatadzira baba vangu Dhavhidhi. Zvino Jehovha achadzosera kuipa kwako pamusoro pako. Asi Mambo Soromoni acharopafadzwa, uye chigaro choushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nokusingaperi.” Ipapo mambo akarayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akaenda akandouraya Shimei. Naizvozvo umambo hwakasimbiswa muruoko rwaSoromoni. Soromoni akaita ukama naFaro, mambo weIjipiti akawana mwanasikana wake. Akauya naye kuGuta raDhavhidhi kusvikira apedza kuvaka muzinda wake netemberi yaJehovha, norusvingo runopoteredza Jerusarema. Asi, vanhu vakanga vachibayira zvibayiro panzvimbo dzakakwirira nokuti hapana temberi yakanga yati yavakirwa zita raJehovha. Soromoni akada Jehovha akafamba nomumitemo yababa vake Dhavhidhi, asi akabayira nokupisa zvinonhuwira panzvimbo dzakakwirira. Zvino mambo akaenda kuGibheoni kundobayira, nokuti ndiyo yaiva nzvimbo yakakwirira huru, Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru paaritari. PaGibheoni Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku muchiroto, Mwari akati, “Kumbira chipi nechipi chaunoda kuti ndikupe.” Soromoni akapindura akati, “Makaratidza muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi, tsitsi, huru nokuti akanga akavimbika kwamuri uye akarurama uye akachena mumwoyo. Muchiri kumuratidza unyoro hwenyu hukuru uye mamupa mwanakomana kuti agare pachigaro chake chokutonga iye nhasi. “Zvino, Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi. Asi ini ndinongova hangu mwana mudiki uye handizivi mashandiro andingaita mabasa angu. Muranda wenyu ari pakati pavanhu venyu vamakasarudza, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kuverengwa nokuwanda kwavo. Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti atonge vanhu venyu, kuti ndikwanise kuziva zvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani angagone kutonga vanhu venyu vakawanda kudai?” Jehovha akafara nokuti Soromoni akanga akumbira chinhu ichi. Naizvozvo Jehovha akati kwaari, “Sezvo wakumbira chinhu ichi ukasazvikumbirira upenyu hurefu kana upfumi, ukasakumbira kuti vavengi vako vaurayiwe, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga zvakarurama, ndichaita zvawakumbira. Ndichakupa mwoyo wakachenjera unonzwisisa, zvokuti hakuna kumbova nomumwe akafanana newe uye hakuchazova nomumwe akafanana newe mushure mako. Pamusoro pezvo, ndichakupawo zvausina kukumbira, zvose upfumi nokukudzwa, zvokuti muupenyu hwako hapana mumwe anozoenzana newe pakati pamadzimambo. Kana ukafamba munzira dzangu nokuteerera mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaita Dhavhidhi baba vako, ndichakupa upenyu hurefu.” Ipapo Soromoni akamuka, akabva aziva kuti kwakanga kuri kurota. Akadzokera kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuyananisa. Ipapo akaitira varanda vake vose mutambo. Zvino vakadzi vaviri vaiva zvifeve vakauya kuna mambo vakamira pamberi pake. Mumwe wavo akati, “Ishe wangu, mukadzi uyu neni tinogara muimba imwe chete. Ini ndakapona mwana iye aripowo. Zvino nezuva rechitatu mushure mokuberekwa kwomwana wangu, mukadzi uyu akaponawo mwana. Takanga tiri toga; hapana mumwe munhu akanga ari mumba kunze kwedu isu vaviri. “Usiku ihwohwo mwana womukadzi uyu akafa, nokuti akavata pamusoro pake. Saka akamuka pakati pousiku akatora mwanakomana wangu kubva parutivi pangu, ini muranda wenyu ndivete. Akamuisa pachipfuva chake akaisa mwanakomana wake akafa pachipfuva changu. Pandakamuka mangwanani kuti ndiyamwise mwanakomana wangu ndakaona kuti akanga afa; asi pandakazotarisisa mangwanani, ndakaona zviri pachena kuti haasiriye mwanakomana wandakanga ndapona.” Asi mukadzi mumwe uya akati, “Kwete, mwanakomana mupenyu ndowangu, mwanakomana akafa ndowako.” Asi wokutanga akaramba akati, “Kwete, akafa ndowako; mupenyu ndiye wangu.” Naizvozvo vakaitirana nharo pamberi pamambo. Ipapo mambo akati, “Mumwe anoti, ‘Mwanakomana wangu ndiye mupenyu, uye mwanakomana wako ndiye akafa,’ mumwewo achiti, ‘Kwete! Mwanakomana wako ndiye akafa, uye mwanakomana wangu ndiye mupenyu.’ ” Ipapo mambo akati, “Nditorerei munondo.” Naizvozvo vakauya nomunondo kuna mambo. Iye akati, “Chekai mwana mupenyu napakati mugopa hafu kuno mumwe uye imwe hafu kuno mumwe.” Mukadzi aiva nomwana mupenyu akanzwira mwanakomana wake tsitsi akati kuna mambo, “Ndapota ishe wangu, mupei zvenyu mwana ari mupenyu! Musamuuraya!” Asi mumwe wacho akati, “Iwe neni hapana ari kuzomuwana. Muchekei napakati!” Ipapo mambo akapa mutongo wake akati, “Ipai mwana mupenyu kumukadzi wokutanga. Musamuuraya; ndiye mai vake.” VaIsraeri vose vakati vanzwa matongero akanga aita mambo, vakatya mambo, nokuti vakaona kuti uchenjeri hwaibva kuna Mwari hwaiva maari, kuti atonge zvakarurama. Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose. Ava ndivo vaiva machinda ake: Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista; Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika; Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto; Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista; Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo; Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo; Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo. Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore. Mazita avo aiti: Bhenihuri, munyika yamakomo yaEfuremu; Bhenidhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani; Bhenihesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake). Bheniabhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni); Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami; Bheni-gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira); Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi; Ahimaazi, munyika yaNafutari (akanga awana Bhasemati mwanasikana waSoromoni); Bhaana mwanakomana waHushai, munyika yaAsheri neAroti; Jehoshafati mwanakomana waParua, munyika yaIsakari; Shimei mwanakomana waEra, munyika yaBhenjamini; Geheri mwanakomana waUri, munyika yeGireadhi (nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgi mambo weBhashani). Ndiye aiva mubati oga mudunhu iri. Vanhu veJudha neIsraeri vakanga vakawanda sejecha ramahombekombe egungwa; vakadya, vakanwa uye vakafara. Soromoni akanga ari mambo munyika dzose dzaibva kuYufuratesi kusvikira kunyika yavaFiristia, nokumuganhuwo weIjipiti. Nyika idzi dzakauya nomutero uye vakashandira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake. Zvokudya zvomuzinda waSoromoni zvezuva nezuva zvaiva zviyero makumi matatua zvefurawa yakatsetseka nezviyero makumi matanhatub zvoupfu, mombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzokumafuro, makwai zana, pasingaverengerwi nondo, mhara, mhembwe nehuku dzakakodzwa. Nokuti aitonga nyika dzose dziri kumadokero kwerwizi rweYufuratesi kubva kuTifisa kusvikira kuGaza, uye akava norugare kumativi ose. Pamazuva oupenyu hwaSoromoni vaJudha navaIsraeri vaigara zvakanaka, kubvira kuDhani kusvikira kuBheerishebha, mumwe nomumwe pasi pomuti wake wamazambiringa nowamaonde. Soromoni aivawo nezvidyiro zvamabhiza engoro dzake zviuru makumi mana navatasvi vamabhiza zviuru gumi nezviviri. Vatariri vakatsvakira Mambo Soromoni navose vaiuya kuzodya naMambo Soromoni patafura yake zvokudya, mumwe nomumwe mumwedzi wake. Vakaona kuti hapana chaishayikwa. Vakauyawo nebhari nouswa hwamabhiza engoro namamwewo mabhiza kunzvimbo dzezvaidiwa, mumwe nomumwe zvaakatarirwa. Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa. Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti. Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzirahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza. Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu. Akatsanangura makuriro emiti, kubvira kumusidhari weRebhanoni kusvikira kumihisopi inokura mumadziro. Akadzidzisawo pamusoro pemhuka, shiri, zvinokambaira nehove. Vanhu vakauya vachibva kunyika dzose kuti vazonzwa uchenjeri hwaSoromoni; vakauya vachitumwa namadzimambo ose enyika akanga anzwa nezvouchenjeri hwake. Hiramu mambo weTire akati anzwa kuti Soromoni akanga azodzwa kuti ave mambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi, akatuma nhume dzake kuna Soromoni, nokuti Hiramu akanga agara ano ushamwari naDhavhidhi. Soromoni akatuma shoko kuna Hiramu akati: “Munoziva kuti nokuda kwehondo dzairwisana nababa vangu Dhavhidhi kubva kumativi ose, haana kuzokwanisa kuvakira Zita raJehovha Mwari wake temberi, kusvikira Jehovha aisa vavengi vake pasi petsoka dzake. Asi zvino Jehovha Mwari wangu andipa zororo kumativi ose, hapachisina muvengi kana dambudziko. Naizvozvo ndinoda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu temberi, sezvo Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Mwanakomana wako, uyo wandichagadza pachigaro choushe panzvimbo yako, achavakira zita rangu temberi iyi.’ “Naizvovo chirayirai kuti nditemerwe matanda emisidhari yeRebhanoni. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete navanhu venyu uye ndichakuripirai mari yamunenge mati iripirwe vanhu venyu. Munoziva kuti hatina kana munhu mumwe anogona kutema matanda sezvinoitwa navaSidhoni.” Hiramu akati anzwa shoko raSoromoni, akafara zvikuru, uye akati, “Jehovha ngaarumbidzwe nhasi, nokuti apa Dhavhidhi mwanakomana ane uchenjeri kuti atonge rudzi rukuru urwu.” Saka Hiramu akatuma shoko kuna Soromoni achiti: “Ndagamuchira shoko ramanditumira navamakatuma uye ndichaita zvose zvamunoda ndigokupai matanda emisidhari nemisipuresi. Vanhu vangu vachatakura kubva kuRebhanoni kusvika kugungwa, uye, ndichaayeredza negungwa kunzvimbo yamunenge masarudza. Ikoko ndichapatsanura kuti mugogona kuatora moenda nawo. Imi mugondiitirawo chishuvo changu mugopa muzinda wangu zvokudya.” Nenzira iyi Hiramu akapa Soromoni matanda ose emisidhari nemisipuresi aaida, uye Soromoni akapa Hiramu zviyero zviuru makumi maviria zvegorosi kuti zvidyiwe mumuzinda wake, pamwe chete nezviyero makumi mavirib zvamafuta omuorivhi akasvinwa zvakakwana. Soromoni akaramba achiitira Hiramu zvinhu izvi gore negore. Jehovha akapa Soromoni uchenjeri, sezvaakanga amuvimbisa. Pakati paHiramu naSoromoni pakava norugare, uye vaviri ava vakanyorerana chibvumirano. Mambo Soromoni akaunganidza vanhu vechibharo muIsraeri yose, vanhu zviuru makumi matatu. Akavatumira kuRebhanoni, zviuru gumi pamwedzi, zvokuti vaipedza mwedzi mumwe chete vari kuRebhanoni nemwedzi miviri vari kumusha. Adhoniramu ndiye aiva mukuru wechibharo. Soromoni aiva navatakuri vezvinhu zviuru makumi manomwe uye vavezi vamatombo zviuru makumi masere mumakomo, pamwe chete navatariri vebasa zviuru zvitatu namazana matatu vaitungamirira basa nokuudza vashandi zvokuita. Mambo akarayira vakaputsa matombo makuru kwazvo, anokosha, kuti vavake hwaro hwetemberi namatombo akavezwa. Vavaki vaSoromoni, navavaki vaHiramu navaGebhari vakaveza matanda namatombo okuvakisa temberi. Zvino mugore ramazana mana namakumi masere mushure mokubuda kwavaIsraeri munyika yeIjipiti, mugore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pamusoro peIsraeri, mumwedzi waZivhi, unova mwedzi wechipiri, akatanga kuvaka temberi yaJehovha. Temberi yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yakanga yakareba makubhiti makumi matanhatua, ina makubhiti makumi mavirib paupamhi hwayo, ina makubhiti makumi matatuc pakukwirira kwayo kumusoro. Biravira raiva mberi kweimba huru yetemberi rakawedzera upamhi hwetemberi hwamakubhiti makumi mavirid uye rakanga rakapfuurira mberi kwetemberi namakubhiti gumie. Akaitira temberi iyi mawindo ane upamhi hudiki. Pamadziro eimba huru neeimba tsvene yomukati akavaka chivakwa chakapoteredza imba, chaiva nedzimwe dzimba kumativi. Imba yapasi yaiva noupamhi hwamakubhiti mashanuf, imba yapakati yaiva noupamhi hwamakubhiti matanhatug uye imba yechitatu yaiva namakubhiti manomweh. Nechokunze akavaka zvitakuriso kumativi kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro etemberi. Pakuvaka madziro etemberi mabwe akanga avezwa chete ndiwo akashandiswa, uye hapana kunzwikwa kurira kwesando kana mbezo kana mumwe mudziyo patemberi payakanga ichivakwa. Musuo weimba yapakati waiva kuchamhembe kwetemberi, paiva namatanho aienda kuimba yapakati, achizobva kuimba yapakati achienda kune yechitatu. Naizvozvo akavaka temberi, uye akaipedza, akaturika denga ramatanda namapuranga emisidhari. Uye akavaka dzimba pamadziro etemberi yose. Imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti mashanu, uye dzakanga dzakabatanidzwa netemberi namatanda emisidhari. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni richiti, “Pane zvetemberi iyi yauri kuvaka, kana ukatevera mitemo yangu, ukaita zvandakatema, uye ukachengeta mirayiro yangu yose nokuiteerera, ipapo ndichazadzisa chivimbiso changu newe, chandakavimbisa baba vako Dhavhidhi. Uye ndichagara pakati pavaIsraeri, uye handizorasi vanhu vangu vaIsraeri.” Saka Soromoni akavaka temberi akaipedza. Akaisa mapuranga emisidhari pamadziro etemberi nomukati, akaaroverera kubvira pasi kusvikira kumusoro, uye pasi pose pakanga pane mapuranga emusipuresi. Akakamura necheshure kwetemberi chimwe chikamu chakanga chakareba makubhiti makumi mavirii, namapuranga emusidhari kubva pasi kusvika kumusoro kuti chive nzvimbo tsvene yomukati metemberi, nzvimbo Tsvene-tsvene. Imba huru yakanga iri pamberi peimba iyi yakanga yakareba makubhiti makumi manaj. Mukati metemberi makaitwa nemisidhari yakavezwa mifananidzo yemikombe namaruva akazaruka. Zvose zvaiva misidhari chete, hapana dombo raionekwa. Akagadzira nzvimbo tsvene yomukati, mukatikati metemberi, kuti agogadzikapo areka yesungano yaJehovha. Mukati menzvimbo tsvene yomukati makanga makareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo makubhiti makumi mavirik, uye makareba makubhiti makumi maviri pakukwirira kwamo mudenga. Akafukidza mukati mose negoridhe rakaisvonaka uye, akafukidzawo aritari namapuranga omusidhari. Soromoni akafukidza mukati metemberi yose negoridhe rakaisvonaka, uye akaisa ngetani dzegoridhe dzakachinjika pamberi penzvimbo tsvene yomukati, iyo yakanga yakafukidzwa mukati mose negoridhe. Saka akafukidza mukati mose negoridhe. Akafukidzawo aritari yenzvimbo tsvene yomukati negoridhe. Akaita makerubhi maviri omuti womuorivhi, rimwe nerimwe rakareba makubhiti gumil, munzvimbo tsvene yomukati. Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanu, uye rimwe bapiro rakanga rakareba makubhiti mashanu, makubhiti gumi kubva pamuromo perimwe bapiro kusvika pamuromo perimwe bapiro. Kerubhi rechipiri rakanga rakarebawo makubhiti gumi, nokuti makerubhi maviri aya akanga akafanana pakukura namaumbirwo. Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumi. Akaisa makerubhi munzvimbo yomukatikati metemberi, mapapiro amakerubhi akatambanudzwa. Bapiro rerimwe kerubhi raiguma mamwe madziro, bapiro rerimwe richiguma mamwe madziro uye mamwe mapapiro awo aigumana pakati peimba. Akafukidza makerubhi negoridhe. Akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwi neyamaruva akazaruka, pamadziro ose akatenderedza mudzimba dzomukati nedzimba dzokunze. Akafukidzawo pasi pedzimba dzomukati nedzimba dzokunze dzetemberi negoridhe. Akagadzirira musuo wenzvimbo tsvene yomukati makonhi omuti womuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvaiva namativi mashanu. Pamakonhi maviri aya omuti womuorivhi akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwi neyamaruva akazaruka, akafukidza makerubhi nemiti yemichindwi negoridhe rakarohwa. Nenzira imwe cheteyo akagadzirirawo musuo weimba huru chivivo namagwatidziro zvomuti womuorivhi zvakanga zvine mativi mana. Akaitawo makonhi maviri omuti womusipuresi, mapenga maviri egonhi rimwe aigona kupetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhi aigona kupetwa. Akaveza makerubhi, miti yemichindwi namaruva akazaruka paari, akazvifukidza negoridhe rakarohwa zvakaenzanirana pamusoro pezvakavezwa. Uye akavaka chivanze chomukati chine hwaro hutatu hwamatombo akavezwa, nehwaro humwe chete hwamatanda omusidhari. Hwaro hwetemberi yaJehovha hwakavakwa mugore rechina, mumwedzi waZivhi. Mugore regumi nerimwe mumwedzi waBhuri, mwedzi worusere, temberi yakapera kuvakwa yose sezvayakanga yakafanira kuitwa. Akapedza makore manomwe achiivaka. Zvisinei, zvakatorera Soromoni makore gumi namatatu kuti apedze kuvaka muzinda wake. Akavaka Muzinda weSango reRebhanoni wakanga wakareba makubhiti zanaa, upamhi hwawo huri makubhiti makumi mashanub, namakubhiti makumi matatuc pakukwirira kwawo mudenga, akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari namatanda emisidhari akavezwa pamusoro pembiru. Wakanga une denga remisidhari rakanga riri pamusoro pamatanda akanga akagadzikwa pamusoro pembiru yamatanda makumi mana namashanu, gumi namashanu mumutsara mumwe chete. Mawindo awo akanga ari pamusoro, ari matatu, akatarisana. Makonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana; akanga ari nechemberi ari matatu matatu, akatarisana. Akaita imba yembiru yakanga yakareba makubhiti makumi mashanud iine upamhi hwamakubhiti makumi matatue. Pamberi payo paiva nebiravira, pamberi parowo paine mbiru nedenga rakarembera. Akavakawo imba yechigaro chokutonga, Imba Yokururamisira, umo maaizotongera nyaya, uye akaifukidza nemisidhari kubva pasi kusvikira kumusoro. Muzinda wake waaizogara necheseri, wakanga wakavakwa zvimwe chetezvo. Soromoni akavakirawo mwanasikana waFaro, uyo waakanga awana, muzinda wakafanana nouyu. Dzimba dzose idzi, kubva kunze kusvikira kuchivanze chikuru, nokubva pahwaro kusvikira paberevere, dzakanga dziri dzamatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, uye akachekwa nejeko kunze nomukati. Hwaro hwakanga hwakavakwa namatombo makuru anokosha, mamwe akareba makubhiti gumif, mamwe makubhiti masereg. Pamusoro paiva namatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, namatanda emisidhari. Chivanze chikuru chaiva chakapoteredzwa norusvingo rwakanga rune mitsara mitatu yamatombo akavezwa nomutsara mumwe chete wamatanda omusidhari akanyatsovezwa, zvimwe chetezvo zvakanga zvakaita chivanze chomukati chetemberi yaJehovha nebiravira rayo. Zvino Mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu kuTire. Hiramu aiva mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafutari, baba vake vari veTire, mupfuri wendarira. Hiramu akanga azere nounyanzvi, uye aino ruzivo rwezvamabasa ose endarira. Akauya kuna Mambo Soromoni akaita basa rose raakapiwa. Akavaka mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti gumi namasereh, uye yaipoteredzwa netambo yakareba makubhiti gumi namavirii pakuyera. Akaitawo misoro yembiru yendarira yakanyungurutswa miviri, yokugadzika pamusoro pembiru, musoro mumwe nomumwe wakanga wakareba makubhiti mashanuj pakukwirira kwawo. Mimbure yengetani dzakarukwa yaiva yakashongedza misoro yaiva pamusoro pembiru, minomwe pamusoro pomumwe nomumwe. Akaitawo matamba mumitsara miviri yakapoteredza mumbure mumwe nomumwe kuti ishongedze misoro yaiva pamusoro pembiru. Akaita zvimwe chetezvo pamusoro pomumwe nomumwe. Misoro yaiva pamusoro pembiru pabiravira yakanga yakaumbwa samaruva amahapa, yakareba makubhiti manak pakukwirira kwayo. Pamusoro pemisoro yembiru mbiri idzi, nechapamusoro pedumbu rakanga riri parutivi pomumbure, paiva namatamba mazana maviri mumitsara yakapoteredza. Akamisa mbiru pabiravira retemberi. Mbiru yezasi akaitumidza zita rokuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi. Pamusoro pembiru paiva nezvishongo zvakafanana namaruva amahapa. Saizvozvo basa rapambiru rakapera. Akaita Gungwa reNdarira yakanyauswa, redenderedzwa rakanga rine upamhi hwamakubhiti gumil pamuromo, uye rakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwaro. Zvaitora tambo yakareba makubhiti makumi matatum kuti iripoteredze pakuyera. Pasi pomuromo waro pakanga pane mapfundo akapoteredza, ari gumi pakubhiti, achipoteredza gungwa. Mapfundo aya akaumbwa akanga ari mumitsara miviri, pamwe chete neGungwa. Gungwa rakanga rimire pahando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu kumadokero, nhatu zasi nenhatu kumabvazuva. Gungwa rakanga rigere pamusoro padzo, uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati. Ukobvu hwaro hwaikwana upamhi hwechanza chomunhun, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wekapu, seruva ramahapa. Mukati maro maikwana mabhati zviuru zvivirio. Akaitawo tafura dzaiva namavhiri endarira gumi; imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti manap, upamhi huri makubhiti mana nokukwirira kwayo kuri makubhiti matatuq. Tafura idzi dzakanga dzakaitwa seizvi: pakati pembiru dzetafura paiva namagwatidziro mumativi. Pamagwatidziro aya pakati pembiru paiva neshumba, hando namakerubhi, uyewo napambiru. Pamusoro napasi peshumba nehando paiva nezvishongo zvamaruva zvendarira. Tafura imwe neimwe yaiva namavhiri mana endarira ane maekesero endarira, uye imwe neimwe yaiva nedhishi rakanga riri pamusoro pezvitsigiro zvina, zvakaumbwa zviine zvishongo zvamaruva kurutivi rumwe norumwe. Nechomukati metafura maiva negomba rakanga riri redenderedzwa rakadzika zvinosvika kubhiti rimwe cheter. Gomba iri rakanga riri redenderedzwa, uye nechigadziko charo raikwana kubhiti nehafus. Pamuromo paro paiva nezvinyorwa. Magwatidziro akanga ane mativi akaenzana, asiri edenderedzwa. Mavhiri mana aiva pasi pamagwatidziro, uye maekesero amavhiri aiva akabatana netafura. Vhiri rimwe nerimwe raiva noupamhi hwekubhiti rimwe chete nehafu. Mavhiri akanga akagadzirwa sokugadzirwa kwamavhiri engoro dzamabhiza; maekesero, marimu, zvipokisi namahabhu zvose zvaiva zvakagadzirwa nendarira. Tafura imwe neimwe yaiva nemibato mina, pakona imwe neimwe, uye yaibudikira kubva patafura. Pamusoro petafura paiva nechitenderere chakanga chakadzika zvinosvika hafu yekubhitit. Zvitsigiro namagwatidziro zvakanga zvakanamatidzwa pamusoro petafura. Akaveza makerubhi, shumba nemiti yemichindwi pazvitsigiro namagwatidziro, napose paigona kuvezwa, nezvishongo zvamaruva kumativi ose. Aya ndiwo magadziriro aakaita tafura gumi. Dzose dzakanga dzakafanana pakuumbwa kwadzo, dzakaenzana pakukura napamaumbirwo. Ipapo akaita madhishi endarira gumi, rimwe nerimwe richipinda mabhati makumi manau uye rakafara makubhiti mana, dhishi rimwe chete richizoiswa patafura imwe neimwe yetafura gumi. Akaisa tafura shanu zasi kwetemberi, shanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi. Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi. Saka Hiramu akapedza basa rose raakaitira Mambo Soromoni mutemberi yaJehovha: mbiru mbiri; misoro miviri yedenderedzwa pamusoro pembiru; mimbure miviri yakarukwa yaishongedza misoro miviri yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru; matamba mazana mana emimbure miviri (mitsara miviri yamatamba pamumbure mumwe chete, kuti ishongedze misoro yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru); tafura gumi namadhishi adzo gumi; Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro; poto, foshoro namadhishi. Zvinhu zvose izvi zvakaitirwa Mambo Soromoni mutemberi maJehovha naHiramu zvaiva zvendarira yakabwinyiswa. Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu rokuumba pabani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani. Soromoni haana kuyera zvinhu zvose izvi nokuti zvakanga zvakawanda kwazvo; uremu hwendarira hahuna kuzivikanwa. Soromoni akaitawo midziyo yose yaiva mutemberi maJehovha: aritari yegoridhe; tafura yegoridhe yaiva nechingwa choKuvapo, pamusoro payo; zvigadziko zvemwenje zvegoridhe rakaisvonaka (zvishanu kurudyi nezvishanu kuruboshwe pamberi penzvimbo tsvene yomukati); maruva, mwenje nembato, zvegoridhe; makapu, zvidzimiso zvemwenje, madhishi, madhishi ezvinonhuwira nezvaenga zvomoto, zvegoridhe rakaisvonaka; zvibato zvamakonhi ekamuri yomukatikati memba, Nzvimbo Tsvene-tsvene, namakonhi eimba huru, zvakanga zviri zvegoridhe. Zvino basa rose rakaitwa naMambo Soromoni patemberi yaJehovha parakapera, Soromoni akauyisa zvinhu zvakanga zvakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, midziyo yesirivha negoridhe, akazvichengeta mumatura epfuma yetemberi yaJehovha. Ipapo Soromoni akaunganidza pamberi pake vakuru veIsraeri navatungamiri vamarudzi muJerusarema namadzishe emhuri dzavaIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni, Guta raDhavhidhi. Vanhu vose veIsraeri vakaungana pana Mambo Soromoni panguva yomutambo mumwedzi waEtanimi, unova mwedzi wechinomwe. Vakuru vose veIsraeri vakati vasvika, vaprista vakatakura areka, uye vakauyisa areka yaJehovha, neTende Rokusangana nemidziyo yose yakatsaurwa yaiva mairi. Vaprista navaRevhi vakazvitakura, uye Mambo Soromoni neungano yose yeIsraeri yakanga yaungana paari, vakanga vanaye pamberi peareka, vachibayira makwai nehando zvakawanda zvokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo. Ipapo vaprista vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaenda nayo kunzvimbo yayo munzvimbo tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene, vakaigadzika pasi pamapapiro amakerubhi. Makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa. Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo yaionekwa munhu ari paNzvimbo Tsvene pamberi penzvimbo tsvene yomukati, asi kwete munhu ari kunze kweNzvimbo Tsvene; uye achiripo nanhasi. Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri amabwe ayo akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha paakaita sungano navaIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti. Vaprista vakati vabuda paNzvimbo Tsvene, gore rakazadza temberi yaJehovha. Uye vaprista vakatadza kuita shumiro yavo nokuda kwegore, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi yaJehovha. Ipapo Soromoni akati, “Jehovha ati anoda kugara mukati merima guru; zvirokwazvo ndakuvakirai temberi yakanakisisa, nzvimbo yamungagara nokusingaperi.” Ungano yose yaIsraeri imire ipapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza. Zvino akati, “Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo ashandisa ruoko rwake kuzadzisa zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi. Nokuti akati, ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu Israeri kubva muIjipiti, handina kusarudza guta rorudzi rupi rweIsraeri kuti ndivake temberi, kuti Zita rangu rive ipapo, asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu Israeri.’ “Baba vangu Dhavhidhi, mumwoyo mavo vaida kuvakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi. Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Nokuti zvakanga zviri mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi, wakaita zvakanaka kuva naizvozvo mumwoyo mako. Kunyange zvakadaro, iwe hausi kuzovaka temberi iyi, asi mwanakomana wako, wauchabereka ndiye achavakira Zita rangu temberi.’ “Jehovha achengeta chivimbiso chaakaita: ini ndatevera panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, uye zvino ndigere pachigaro chokutonga chaIsraeri, sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndavakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi. Imomo ndakagadzira nzvimbo yeareka, iyo ine sungano yaJehovha yaakaita namadzibaba edu paakavabudisa kubva muIjipiti.” Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri, akatambanudza maoko ake kudenga, akati, “Jehovha, Mwari weIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kumusoro kudenga kana pasi panyika, imi munochengeta sungano yorudo yavaranda venyu vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose. Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; makavimbisa nomuromo wenyu uye mazvizadzisa noruoko rwenyu sezvazviri nhasi. “Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri, chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, zvivimbiso zvamakamuitira pamakati, ‘Pamberi pangu hapangazoshayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe cheIsraeri, kana vana vako vakachenjera pane zvose zvavanoita, vakafamba pamberi pangu sezvawakaita iwe.’ Naizvozvo zvino, haiwa Mwari waIsraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu ramakavimbisa kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu riitike. “Chingava chokwadi here kuti Mwari angagara panyika? Tarirai, matenga kana nokudengadenga hazvingagoni kukukwanai. Ko, kuzoti temberi iyi yandakuvakirai! Kunyange zvakadaro, teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake, haiwa Jehovha Mwari wangu. Inzwai kudanidzira nomunyengetero uri kuitwa nomuranda wenyu pamberi penyu nhasi. Meso enyu ngaarambe akatarisa temberi iyi usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura muchiti, ‘Zita rangu richavapo,’ kuti muzonzwa munyengetero unonamatwa nomuranda wenyu akatarisa kunzvimbo ino. Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu Israeri pavanozonamata vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai muri kudenga kwamunogara, uye kana manzwa mugoregerera. “Kana munhu achinge atadzira muvakidzani wake, akanzi apike mhiko uye akauya akapika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino, ipapo inzwai muri kudenga uye muwane zvamunoita. Tongai pakati pavaranda venyu, mupe mhosva kumutadzi nokuisa pamusoro wake iye zvaanenge aita. Mururamisire akarurama nokumupa zvakafanira kururama kwake. “Kana vanhu venyu Israeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nokuti vakutadzirai, uye vakadzokazve kwamuri, vakapupura zita renyu, vakanamata nokukumbira kwamuri mutemberi, ino, ipapo inzwai muri kudenga mugoregerera chivi chavanhu venyu Israeri, uye mugovadzosera kunyika yamakapa madzibaba avo. “Kana denga richinge razarirwa mvura ikasanaya nokuti vanhu venyu vakutadzirai, pavanonamata vakatarisa kunzvimbo ino, uye vakapupura zita renyu, vakatendeuka kubva kuchivi chavo nokuti mavaranga, ipapo inzwai muri kudenga uye mugoregerera chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira yakanaka yavanofanira kurarama nayo, uye nayisai mvura panyika yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo. “Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunje, kana muhuvhe, mhashu, kana ndongwe kana muvengi wavo akavakomba mune ripi zvaro ramaguta avo, zvisinei kuti inyatwa ipi kana kuti idenda ripi rauya, uye, kana munyengetero kana chikumbiro chaitwa naani zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achiziva zvinomutambudza mumwoyo make, akatambanudzira maoko ake kutemberi ino, ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara. Regererai mugowana zvamunoita; mugoitira mumwe nomumwe maererano nazvose zvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi chete ndimi munoziva zviri mumwoyo momunhu wose), kuti vakutyei mazuva ose avanorarama panyika yamakapa madzibaba edu. “Zvino kana ari mutorwa, asiri wavanhu venyu Israeri asi anouya achibva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu, nokuti vanhu vachanzwa nezvezita renyu guru, ruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, paanouya akanyengetera akatarisa kutemberi ino, ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara, uye mugoita chinhu chipi nechipi chinokumbirwa kwamuri nomutorwa uyu, kuti marudzi ose enyika azive zita renyu uye agokutyai, sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vazive kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu. “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwa navavengi vavo, kwose kwamunovatuma, uye pavanonyengetera kuna Jehovha vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu, ipapo muri kudenga, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira. “Kana vakakutadzirai, nokuti hakuna munhu asingatadzi, imi mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko omuvengi, uye akavaita nhapwa munyika yake, kure kana pedyo; uye kana vakapinduka pamwoyo munyika umo mavari nhapwa, uye vakatendeuka nokudemba kwamuri munyika yavatapi vavo, vakati, ‘Takaita, zvakaipa zvisakarurama;’ uye kana vakadzokera kwamuri nomwoyo nomweya wavo wose munyika yavavengi vavo avo vakavatapa vakanyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu; ipapo, muri kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira. Muregerere vanhu venyu, vakakutadzirai; muvaregerere pamhosva dzose dzavakapara kwamuri, mugoita kuti vakavatapa vavanzwire tsitsi; nokuti vanhu venyu nenhaka yenyu vamakabudisa kubva muIjipiti, vira romoto. “Meso enyu ngaaone chikumbiro chomuranda wenyu nechikumbiro chavanhu venyu Israeri, uye muteerere kwavari nguva dzose pavanochema kwamuri. Nokuti makavasarudza pamarudzi ose enyika kuti vave nhaka yenyu, sezvamakataura nokumuranda wenyu Mozisi, imi Jehovha Mwari, pamakabudisa madzibaba edu kubva muIjipiti.” Zvino Soromoni akati apedza munyengetero uyu wose nokukumbira uku kuna Jehovha, akasimuka achibva pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga. Akamira akaropafadza ungano yose yeIsraeri nenzwi guru akati: “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akapa zororo kuvanhu vake Israeri sezvaakavimbisa chaizvoizvo. Hapana kana shoko rimwe chete risina kuitika pazvivimbiso zvose zvakanaka zvaakapa nokumuranda wake Mozisi. Jehovha Mwari wedu ngaave nesu sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kuzotisiya kana kutirasa. Ngaaite kuti mwoyo yedu yose ive yake, kuti tifambe munzira dzake dzose tichichengeta mirayiro, mitemo nezvaakareva izvo zvaakapa madzibaba edu. Zvino mashoko angu aya, andanyengetera pamberi paJehovha, ngaave pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, kuti asimudzire zvinorwirwa nomuranda wake nezvinorwirwa navanhu vake Israeri nezvinenge zvichidiwa zuva nezuva, kuti vanhu vose vapanyika vazive kuti Jehovha ndiMwari, uye kuti hakuna mumwe. Asi mwoyo yenyu inofanira kuva yakapiwa zvachose kuna Jehovha Mwari wedu, kuti murarame nemitemo yake uye muteerere mirayiro yake sezvamuri kuita iye zvino.” Zvino mambo navaIsraeri vose vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha. Soromoni akabayira chibayiro chezvipiriso zvokuyanana kuna Jehovha; zviuru makumi maviri nezviviri zvemombe nezviuru zana namakumi maviri zvamakwai nembudzi. Saizvozvo mambo navaIsraeri vose vakakumikidza temberi yaJehovha. Musi iwoyo mambo akakumikidza chikamu chapakati chechivanze chaiva pamberi petemberi yaJehovha, uye ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvembeu, namafuta ezvipiriso zvokuyanana nokuti aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha yakanga yakanyanya kuita duku kuti ikwane zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvembeu, namafuta ezvipiriso zvokuyanana. Saka Soromoni akaita mutambo uyu panguva iyoyo, neIsraeri yose pamwe chete naye, ungano huru kwazvo, vanhu vachibva kuRebho Hamati vachisvika kuWadhi yeIjipiti. Vakaupemberera pamberi paJehovha Mwari wedu kwamazuva manomwe namamwe manomwe pamusoro, mazuva gumi namana pamwe chete. Pazuva rakatevera akaita kuti vanhu vaende. Vanhu vakaropafadza mambo vakaenda kumisha yavo vane rufaro mumwoyo mavo nokuda kwezvinhu zvakanaka zvose Jehovha zvaakanga aitira muranda wake Dhavhidhi navanhu vake Israeri. Zvino Soromoni akati apedza kuvaka temberi yaJehovha nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka, Jehovha akazviratidza kwaari kechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibheoni. Jehovha akati kwaari: “Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chawaita pamberi pangu; temberi iyi yawavaka ndaiita tsvene, nokuisa Zita rangu mairi nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvichavamo nguva dzose. “Zvino iwe, kana ukafamba pamberi pangu nomwoyo wakanaka nokururama, sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandinorayira uye ukatevera mitemo nemirayiro yangu, ndichasimbisa chigaro chako choushe pamusoro peIsraeri nokusingaperi sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hapangatoshayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’ “Asi kana mukarega kunditevera, imi kana vana venyu, uye mukarega kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu yandakaisa pamberi penyu, asi mukaenda kundoshumira vamwe vamwari uye mukavanamata, ipapo ndichaparadza Israeri panyika yandakavapa ndigofuratira temberi iyi yandaita tsvene nokuda kweZita rangu. Ipapo Israeri ichazova chirevo nechiseko pakati pamarudzi ose avanhu. Kunyange zvazvo temberi iyi ichishamisa kwazvo iye zvino, avo vachazopfuura napairi vachazoshamiswa vagoshora vachiti, ‘Jehovha aitirei chinhu chakadai kunyika iyi nokutemberi iyi?’ Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akabudisa madzibaba avo muIjipiti, uye vakanamatira vamwe vamwari, vachivanamata nokuvashandira, ndokusaka Jehovha akauyisa dambudziko guru rakadai pavari.’ ” Makore makumi maviri akati apera, panguva yakavakwa dzimba idzi mbiri naSoromoni, temberi yaJehovha nomuzinda wamambo, Mambo Soromoni akapa Hiramu mambo weTire maguta makumi maviri muGarirea, nokuti Hiramu akanga amupa misidhari, misipuresi negoridhe, zvose zvaaida. Asi Hiramu paakabva kuTire akaenda kundoona maguta aya aakanga apiwa naSoromoni, haana kufadzwa nawo. Akabvunza akati, “Maguta erudzii aya awandipa, hama yangu?” Naizvozvo akaatumidza zita rokuti Nyika yeKabhuru, rinova ndiro zita rawo nanhasi. Zvino Hiramu akanga atumira mambo matarenda zana namakumi maviria egoridhe. Heino nhoroondo yechibharo chakashandiswa naMambo Soromoni pakuvaka temberi yaJehovha, muzinda wake, Miro, rusvingo rweJerusarema neHazori, Megidho neGezeri. Faro mambo weIjipiti akanga arwisa uye akatora Gezeri. Akanga aripisa nomoto. Akauraya vaKenani vaigara mariri akaripa kumwanasikana wake, mukadzi waSoromoni sechipo pakuwanikwa kwake. Uye Soromoni akavaka Gezeri patsva. Akavaka Bhetihoroni yeZasi, Bhaarati, neTadhimori murenje, munyika imomo, pamwe chete namaguta ake ose amatura, namaguta engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaakada kuvaka muJerusarema, muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. Vanhu vose vakanga vasara pavaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri), vana vavo vakanga vasara munyika, vasina kugona kuparadzwa zvachose navaIsraeri, ivava Soromoni akavaunganidza kuti vashande savaranda vake, sezvazviri kusvikira nhasi. Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavaIsraeri; ndivo vaiva mauto ake, makurukota ake ehurumende, machinda ake, vatungamiri vake vamauto, varayiri vezvengoro navachairi vengoro. Ndivozve vaiva machinda makuru aiona nezvamabasa aiitwa naSoromoni, vatariri mazana mashanu namakumi mashanu vaitungamirira vanhu vaiita basa. Mushure mokunge mwanasikana waFaro abva kuGuta raDhavhidhi akauya kumuzinda wake waakanga avakirwa naSoromoni, Soromoni akavaka Miro. Katatu pagore Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa paaritari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuwira pamwe chete nazvo pamberi paJehovha. Saizvozvo akapedza nezvetemberi. Mambo Soromoni akavakawo zvikepe paEzioni Gebheri, iri pedyo neEroti muEdhomu, pamahombekombe eGungwa Dzvuku. Uye Hiramu akatuma varanda vake, vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kuti vazoshandisa zvikepe pamwe chete navaranda vaSoromoni. Vakaenda kuOfiri, vakandodzokako namazana mana namakumi maviri amatarendab egoridhe, ayo avakandopa Mambo Soromoni. Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa nezvomukurumbira waSoromoni noukama hwake nezita raJehovha, akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma. Akasvika paJerusarema navanhu vakawanda, nengamera dzakanga dzakatakura zvinonhuwira, goridhe rakawanda kwazvo, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye pamusoro pezvose zvaiva mupfungwa dzake. Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hapana chakanga chakanyanya kuomera mambo kuti amutsanangurire. Mambokadzi weShebha akati aona uchenjeri hwose hwaSoromoni nomuzinda waakanga avaka, zvokudya zvaiva patafura yake, urongwa hwokugara kwamachinda ake, varanda vake vaimushandira nezvipfeko zvavo, vadiri vake, nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha, akapererwa. Akati kuna mambo, “Zvose zvandakanzwa munyika mangu pamusoro pamabasa enyu nouchenjeri hwenyu zvaiva zvechokwadi. Asi handina kutenda zvinhu izvi kusvikira ndauya ndikazviona nameso angu chaiwo. Zvechokwadi, zvandakaudzwa hazvisviki pahafu yezviripo; muuchenjeri nomuupfumi mapfuura zvose zvandakanzwa. Vanhu venyu vanofanira kuva vanofara sei! Machinda enyu anofara sei, ivo vanomira pamberi penyu nguva dzose nokunzwa uchenjeri hwenyu! Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, iye akafadzwa nemi akakuisai pachigaro choushe chaIsraeri. Jehovha akada Israeri nokusingaperi, nokuda kwaizvozvo akuitai mambo kuti muchengetedze kururamisa noutsvene.” Akapa mambo matarenda zana namakumi maviria egoridhe, zvinonhuwira kwazvo, namatombo anokosha. Hapana mumwe akazouya nezvinonhuwira zvakawanda sezvakauyiwa nazvo namambokadzi weShebha kuna Mambo Soromoni. Zvikepe zvaHiramu zvakauya negoridhe kubva kuOfiri; uye zvakauya nemiti yemiarumugi namatombo anokosha kubva ikoko. Mambo akashandisa miarumugi iyi kuita mbiru dzetemberi yaJehovha, nedzomuzinda wamambo, uye kugadzira mbira nemitengeranwa zvaishandiswa navaimbi. Miti yemiarumugi yakawanda kudai haina kuzombouyiswa munyika zvakare kana kuonekwa zvakare kubvira musi iwoyo. Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvaaida nezvaakakumbira, pamusoro pezvaakamupa zvaibva papfuma yake youmambo. Ipapo akabva asimuka navaranda vake akadzokera kunyika yake. Uremu hwegoridhe raitambirwa naSoromoni gore negore hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatub, pasingaverengerwi mari yomutero yairipiswa vatengesi vakuru navatengesi vadiki, namadzimambo ose eArabhia navabati venyika. Mambo Soromoni akaita mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakarohwa nenyundo; nhoo imwe neimwe yaiva yakagadzirwa namazana matanhatu amashekeric egoridhe. Akaitawo mazana matatu enhoo diki dzegoridhe rakarohwa nenyundo, nhoo imwe neimwe yakagadzirwa nemamina matatud egoridhe. Mambo akadziisa muMuzinda weSango reRebhanoni. Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou akachifukidza negoridhe rakanakisisa. Chigaro ichi chaiva namatanhiko matanhatu, uye musoro wechigaro wakanga uri wedenderedzwa shure kwacho. Kumativi maviri echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko zviviri, uye shumba mbiri dzakanga dzakamira pamativi ezvitsigiro zviviri izvi. Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pamatanhiko matanhatu, imwe chete kwaiperera danhiko rimwe nerimwe. Hakuna zvakadai zvakanga zvamboitirwa humwe umambo. Midziyo yose yaMambo Soromoni yokunwira yaiva yegoridhe rakanakisisa. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti sirivha yakanga isingakoshi zvikuru mumazuva aSoromoni. Mambo aiva nechitsama chezvikepe zveTashishi pagungwa izvo zvaiva pamwe chete nezvikepe zvaHiramu. Zvikepe zveTashishi izvi zvaiuya kamwe chete mumakore matatu zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou, mapikoko namakudo. Mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose panyika paupfumi napauchenjeri. Nyika yose yakada kuzosangana naSoromoni kuti inzwe uchenjeri hwakanga waiswa mumwoyo make naMwari. Gore negore munhu wose aiuya nechipo, zvinhu zvakagadzirwa nesirivha nezvegoridhe, mbatya, zvombo nezvinonhuwira, namabhiza namanyurusi. Soromoni akaunganidza ngoro namabhiza; akanga ane ngoro dzinokwana chiuru namazana mana namabhiza anokwana zviuru gumi nezviviri, zvaaichengeta kumaguta engoro nomuJerusarema maaivawo. Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye misidhari yakawanda kunge mionde yomuzasi mamakomo. Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe vatengesi vamambo vainoatengera kuKuwe. Vakatenga imwe ngoro kuIjipiti namashekeri esirivha mazana matanhatue, rimwe bhiza rikaita zana namakumi mashanuf. Vaitengeserawo kumadzimambo avaHiti navaAramu. Zvisinei, Mambo Soromoni akada vakadzi vazhinji vamamwe marudzi pamwe chete nomwanasikana waFaro, wechiMoabhu, vechiAmoni, vechiEdhomu, vechiSidhoni nevechiHiti. Vaiva vamarudzi ayo akanga anzi naJehovha kuvana vaIsraeri, “Musaroorerane navo nokuti vachapindura mwoyo yenyu ikatevera vamwari vavo.” Zvakadaro, Soromoni akanamatira kwavari murudo. Aiva navakadzi mazana manomwe, vanasikana vamadzimambo, navamwe varongo mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake. Zvino Soromoni akati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake akatevera vamwe vamwari, uye mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake. Akatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni. Saka Soromoni akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutevera Jehovha zvizere sezvakanga zvaitwa naDhavhidhi baba vake. Pagomo riri kumabvazuva kweJerusarema, Soromoni akavakira Kemoshi, mwari anonyangadza wavaMoabhu nzvimbo yakakwirira, akavakirawo Moreki, mwari anonyangadza wavaAmoni. Akaitira vakadzi vake vose vaibva kuna mamwe marudzi zvimwe chetezvo, ivo vaipisa zvinonhuwira nokubayira zvibayiro kuna vamwari vavo. Jehovha akatsamwira Soromoni nokuti mwoyo wake wakanga watsauka kubva kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo akanga azviratidza kwaari kaviri. Kunyange akanga adzivisa Soromoni kutevera vamwe vamwari, Soromoni haana kuchengeta murayiro waJehovha. Saka Jehovha akati kuna Soromoni, “Sezvo aya ari iwo mafungiro ako uye usina kuchengeta sungano yangu nemitemo yangu yandakakurayira, zvirokwazvo ndichabvarura umambo uhu ndichihubvisa kwauri ndigohupa kuno mumwe wavaranda vako. Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi baba vako, handisi kuzozviita uchiri mupenyu. Ndichahubvisa kubva muruoko rwomwanakomana wako. Zvakadaro hazvo, handizobvisi umambo hwose, kubva kwaari, asi ndichamupa rudzi rumwe chete nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu uye nokuda kweJerusarema, randakasarudza.” Ipapo Jehovha akamutsa Hadhadhi muEdhomu, weimba youmambo yeEdhomu kuti arwise Soromoni. Dhavhidhi panguva yaakanga achirwa neEdhomu, Joabhu, mutungamiri wehondo, uyo akanga aenda kundoviga vakanga vafa, akauraya varume vose muEdhomu. Joabhu navaIsraeri vose vakagarako kwemwedzi mitanhatu, kusvikira vauraya varume vose muEdhomu. Asi Hadhadhi, uyo akanga achiri mukomana, akatizira kuIjipiti namamwe machinda echiEdhomu aimboshandira baba vake. Vakasimuka vachibva kuMidhiani vakaenda kuParani. Ipapo vakatora vamwe varume vokuParani vakaenda pamwe chete kuIjipiti, kuna mambo Faro weIjipiti, uyo akapa Hadhadhi imba nomunda, akamupawo zvokudya. Faro akafadzwa naHadhadhi zvokuti akamupa muramu wake, munun'una wavahosi vake Tapenesi, kuti ave mukadzi wake. Munun'una waTapenesi uyu akamuberekera mwanakomana anonzi Genubhati, akakurira mumuzinda wamambo. Imomo, Genubhati akagara pamwe chete navana vaFaro. Ari muIjipiti, Hadhadhi akanzwa kuti Dhavhidhi akanga azorora namadzibaba ake uye kuti Joabhu mutungamiri wehondo akanga afawo. Ipapo Hadhadhi akati kuna Faro, “Chindiregai ndiende hangu, ndidzokere kunyika yangu.” Faro akamubvunza akati, “Washayeiko kuno zvowoda kudzokera kunyika yako?” Hadhadhi akapindura akati, “Hapana, asi regai ndiende zvangu!” Mwari akamutsira Soromoni mumwe muvengi, Rezoni, mwanakomana waEriadha, akanga atiza kubva kuna tenzi wake Hadhadhezeri mambo weZobha. Akazviunganidzira varume akabva ava mutungamiri wechikwata chavapanduki panguva yakaparadzwa mauto okuZobha naDhavhidhi; vapanduki ava vakaenda kuDhamasiko, kwavakagara uye vakatonga. Rezoni akava muvengi weIsraeri kwoupenyu hwaSoromoni hwose, akapamhidzira padambudziko raikonzerwa naHadhadhi. Rezoni akatonga muAramu uye akanga achivenga Israeri. Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akapandukirawo mambo. Aiva mumwe wamachinda aSoromoni, ari worudzi rwaEfuremu wokuZaredha, uye mai vake vainzi Zeruya vari chirikadzi. Heino nhoroondo yokupandukira mambo kwaakaita: Soromoni akavaka Miro, akagadzira pakanga paputsika murusvingo rweguta rababa vake Dhavhidhi. Zvino Jerobhoamu aiva murume wesimba noumhare, uye Soromoni akaona kuti jaya iri raishanda kwazvo akabva amuita mutariri wavashandi vose veimba yaJosefa. Zvino panguva iyoyo Jerobhoamu akati achibva muJerusarema, Ahija muprofita wokuShiro akasangana naye panzira, akapfeka jasi idzva nomucheka. Vaviri ava vaiva voga kusango, ipapo Ahija akatora jasi idzva romucheka raakanga akapfeka akaribvarurabvarura kuita zvipenga gumi nezviviri. Ipapo akati kuna Jerobhoamu, “Zvitorere zvipenga gumi, nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Tarira, ndichabvarura umambo kubva muruoko rwaSoromoni ndigokupa marudzi gumi. Asi nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi neguta reJerusarema, randakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri, achava norudzi rumwe chete. Ndichaita izvi nokuti vakandirasa vakanamata Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, Kemoshi, mwari wavaMoabhu, naMoreki, mwari wavaAmoni, uye havana kufamba munzira dzangu, kana kuita zvakarurama pamberi pangu, kana kuchengeta mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaitwa naDhavhidhi, baba vaSoromoni. “ ‘Asi handizobvisi umambo hwose kubva muruoko rwaSoromoni; ndamuita mutongi mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakasarudza, akachengeta mirayiro yangu nemitemo yangu. Ndichatora umambo kubva mumaoko omwanakomana wake ndigokupa marudzi gumi. Ndichapa mwanakomana wake rudzi rumwe chete kuitira kuti Dhavhidhi muranda wangu arambe ane mwenje nguva dzose pamberi pangu muJerusarema, guta randakasarudza kuisa Zita rangu. Zvisinei, kana uri iwe, ndichakutora, uye uchatonga pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wako; uchava mambo weIsraeri. Kana ukaita chipi nechipi chandicharayira uye ukafamba munzira dzangu ukaita zvakarurama pamberi pangu uye ukachengeta mitemo nemirayiro yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ndichava newe. Ndichakuvakira imba seyandakavakira Dhavhidhi uye ndichakupa Israeri. Ndichatambudza vana vaDhavhidhi nokuda kwenyaya iyi, asi kwete nokusingaperi.’ ” Soromoni akaedza kuuraya Jerobhoamu, asi Jerobhoamu akatizira kuIjipiti, kuna mambo Shishaki, akagarako kusvikira Soromoni afa. Zvino mamwe mabasa aSoromoni, nezvose zvaakaita nouchenjeri hwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzaSoromoni? Soromoni akatonga Israeri yose muJerusarema kwamakore makumi mana. Ipapo akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Ipapo Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Rehobhoamu akaenda kuShekemu, nokuti vaIsraeri vose vakanga vaendako kundomuita mambo. Zvino Jerobhoamu, mwanakomana waNebhati, akati azvinzwa (akanga achiri kuIjipiti, kwaakanga aenda akatiza Mambo Soromoni) akadzoka kubva kuIjipiti. Vakatuma nhume kundodana Jerobhoamu, iye neungano yose yeIsraeri vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari, “Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi zvino chitirerutsirai basa rakaoma iri nomutoro unorema uyu wavakaisa pamusoro pedu, isu tigokushandirai.” Rehobhoamu akapindura akati, “Chimboendai kwamazuva matatu mugodzoka kwandiri.” Saka vanhu vakaenda. Ipapo Mambo Rehobhoamu akabvunza vakuru vakambenge vachishandira baba vake Soromoni vachiri vapenyu. Akati, “Mungandipa zano ripiko randingapindura naro vanhu ava?” Vakapindura vakati, “Kana nhasi mukava muranda wavanhu ava mukavashandira nokuvapa mhinduro inofadza, vachazova varanda venyu nguva dzose.” Asi Rehobhoamu akaramba zano raakanga apiwa navakuru akandobvunza majaya ezera rake aakanga akura nawo, avo vakanga vava kumushandira. Akavabvunza akati, “Mungandipa zano ripiko? Tingavapindure seiko vanhu ava vanoti kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ” Majaya aakanga akura nawo akapindura akati, “Udzai vanhu ava vati kwamuri, ‘Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi imi chitirerutsirai joko redu’ vaudzei kuti, ‘Munwe wangu muduku, mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu. Baba vangu vakaisa joko rinorema pamusoro penyu; ini ndichaita kuti rireme kupfuura zvariri. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ” Mushure mamazuva matatu Jerobhoamu navanhu vose vakadzoka kuna Rehobhoamu, sezvo mambo akanga ati, “Mudzoke kwandiri mumazuva matatu.” Mambo akapindura vanhu nehasha. Akarasa zano raakanga apiwa navakuru, akatevera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakaita kuti mutoro wenyu ureme kwazvo; ini ndichaita kuti ureme kupfuura ipapo. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.” Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu, nokuti zvakaitika izvi zvakanga zvabva kuna Jehovha, kuti shoko raJehovha raakanga ataura kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kubudikidza naAhija muShiro rizadziswe. Zvino vaIsraeri vose pavakaona kuti mambo akanga aramba kuvateerera, vakapindura mambo vakati: “Tino mugove weiko muna Dhavhidhi, nhaka yedu ndeipiko mumwanakomana waJese? Kumatende enyu, imi vaIsraeri! Iwe Dhavhidhi, chizvichengetera imba yako!” Saka vaIsraeri vakaenda kumisha yavo. Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mutariri wezvechibharo, asi vaIsraeri vose vakamutaka namabwe akafa. Zvisinei, Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema. Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi. VaIsraeri vose pavakanzwa kuti Rehobhoamu akanga adzoka, vakatuma nhume kuti iuye kwakanga kwakaungana vanhu, vakabva vamuita mambo weIsraeri yose. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakaramba ruchishandira imba yaDhavhidhi. Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akaunganidza imba yose yaJudha norudzi rwaBenjamini, varume vehondo vaikwana zviuru zana namakumi masere, kuti varwe neimba yaIsraeri uye vadzosere umambo kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni. Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti, “Uti kuna Rehobhoamu, mwanakomana waSoromoni, mambo weJudha, nokuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nokuvamwe vanhu vose, ‘Zvanzi naJehovha: Musakwira kumusoro kundorwa nehama dzenyu, vaIsraeri. Endai kumisha yenyu mumwe nomumwe wenyu, nokuti ndini ndaita izvi.’ ” Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha vakaenda kumisha yavo zvakare, sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Ipapo Jerobhoamu akavaka Shekemu munyika yamakomo yaEfuremu akagarako. Achibvako akaenda akandovaka Penueri. Jerobhoamu akafunga akati, “Zvino umambo huchagona kudzokera kuimba yaDhavhidhi. Kana vanhu ava vakakwira kumusoro kundobayira zvibayiro kutemberi yaJehovha muJerusarema, vachazozvipira zvakare kuna ishe wavo, Rehobhoamu. Vachandiuraya vagodzokera kuna Mambo Rehobhoamu.” Mushure mokubvunza vamwe, mambo akaumba zvimhuru zvegoridhe zviviri. Akati kuvanhu, “Zviri kukuremerai kukwira kumusoro kuJerusarema. VaIsraeri, ava ndivo vamwari venyu vakakubudisai kubva muIjipiti.” Akaisa imwe paBheteri, neimwe paDhani. Zvino chinhu ichi chakava chivi; vanhu vaifamba zvokutosvika kuDhani kundonamata chaiva ikoko. Jerobhoamu akavaka dzimba panzvimbo dzakakwirira akatora vanhu vose vose akavaita vaprista, kunyange vaisava vaRevhi. Akatangisa mutambo wezuva regumi namashanu romwedzi worusere, wakafanana nomutambo wokuJudha, akabayira zvibayiro paaritari. Izvi akazviita muBheteri, akabayira kumhuru dzaakanga agadzira, uye paBheteri akagadzawo vaprista panzvimbo dzakakwirira dzaakanga aita. Nomusi wegumi neshanu womwedzi worusere, mwedzi waakanga angosarudzawo, akabayira zvibayiro paaritari yaakanga avaka paBheteri. Saizvozvo akatangisa mutambo wavaIsraeri akaenda kuaritari kundopisa zvinonhuwira. Nokuda kweshoko raJehovha munhu waMwari akabva kuJudha akauya kuBheteri, Jerobhoamu paakanga akamira pedyo nearitari ava kupirisa zvinonhuwira. Akadanidzira kuaritari akati, “Iwe aritari, aritari! Zvanzi naJehovha, ‘Mwanakomana anonzi Josia achaberekwa muimba yaDhavhidhi. Vaprista vamatunhu akakwirira vari kupisira zvinonhuwira pano zvino, achavabayira pamusoro pako, uye mapfupa avanhu achapiswa pamusoro pako.’ ” Musi mumwe chete iwoyo munhu waMwari akapa chiratidzo akati, “Ichi ndicho chiratidzo chataurwa naJehovha: Aritari ichatsemuka uye madota ari pamusoro payo acharasirwa pasi.” Zvino Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvakanga zvadanidzirwa nomunhu waMwari kuaritari paBheteri, akatambanudza ruoko rwake ruchibva kuaritari akati, “Mubatei!” Asi ruoko rwaakatambanudzira kumurume uyu rwakaoma, zvokuti akatadza kurudzosa zvakare. Aritariwo yakatsemuka uye madota ayo akarasikira pasi zvichienderana nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari nokuda kweshoko raJehovha. Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Ndinamatirewo kuna Jehovha Mwari wako uchindinamatira kuti ruoko rwangu ruporeswe.” Naizvozvo munhu waMwari akamunamatira kuna Jehovha ruoko rwamambo rukaporeswa rukaita sezvarwakanga rwakaita pakutanga. Mambo akati kumunhu waMwari, “Handei kumba kwangu undowana zvaungadya, uye ndichakupa chipo.” Asi munhu waMwari akapindura mambo akati, “Kunyange maindipa hafu yezvose zvamunazvo, handaimboenda nemi, uye handaimbodya chingwa kana kunwa mvura kuno. Nokuti ndakarayirwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura kana kudzoka nenzira yawabva nayo.’ ” Saka akaenda neimwe nzira uye haana kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBheteri. Zvino paiva nomumwe muprofita akanga ava harahwa aigara muBheteri, vana vake vakauya vakamuudza zvose zvakanga zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBheteri. Vakaudzawo baba vavo zvaakanga ataura kuna mambo. Baba vavo vakavabvunza kuti, “Aenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakamuratidza nzira yakanga yaendwa nayo nomunhu waMwari aibva kuJudha. Saka akati kuvana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro.” Zvino vakati vamusungirira chigaro pambongoro, akaitasva. Akatevera munhu waMwari. Akamuwana agere pasi pomuti womuouki akamubvunza akati, “Ndiwe here munhu waMwari akabva kuJudha?” Akapindura akati, “Ndini.” Ipapo muprofita akati kwaari, “Handei kumba kwangu undodya.” Munhu waMwari akati, “Handigoni kudzoka nemi, zvakare handigoni kudya chingwa kana kunwa mvura nemi panzvimbo ino. Ndakaudzwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura ikoko kana kudzoka nenzira yaunenge wauya nayo.’ ” Muprofita akanga ava harahwa akapindura akati, “Neniwo ndiri muprofita sezvawakaita. Zvino mutumwa ati kwandiri neshoko raJehovha, ‘Dzoka naye kumba kwako kuitira kuti adye chingwa uye anwe mvura.’ ” Asi akanga achimunyepera. Saka munhu waMwari akadzokera naye akandodya uye akanwa mumba make. Zvavakanga vachakagara patafura, shoko raJehovha rakauya kumuprofita akanga ava harahwa uyo akanga amudzosa. Akadanidzira kumunhu waMwari akanga abva kuJudha akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Hauna kuteerera shoko raJehovha uye hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako. Wadzoka ukadya chingwa uye ukanwa mvura munzvimbo yaakakuudza kuti usadya kana kunwa. Naizvozvo mutumbi wako hausi kuzovigwa muguva ramadzibaba ako.’ ” Munhu waMwari paakapedza kudya nokunwa, muprofita akanga amudzosa akamusungirira chigaro pambongoro. Akati ava munzira, shumba yakasangana naye panzira, ikamuuraya, mutumbi wake ukakandwa munzira, mbongoro neshumba zvikamira pauri. Vamwe vanhu vaipfuura nepo vakaona mutumbi uyu wakakandwa panzira, shumba yakamira parutivi pomutumbi, uye vakaenda vakandozvitaura muguta maigara muprofita akanga ava harahwa. Muprofita akanga amudzosa parwendo rwake paakazvinzwa, akati, “Ndiye munhu waMwari asina kuteerera shoko raJehovha. Jehovha amupa kushumba, iyo yamubvambura nokumuuraya, sokumuyambira kwakanga kwaita shoko raJehovha.” Muprofita akati kuvanakomana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro,” ivo vakaita saizvozvo. Ipapo akaenda akandoona mutumbi wakakandwa panzira, mbongoro neshumba zvakamira parutivi pawo. Shumba yakanga isina kudya mutumbi kana kubvambura mbongoro. Saka muprofita akasimudza mutumbi womunhu waMwari, akauisa pamusoro pembongoro akadzoka nawo kuguta rake kuti andomuchema uye amuvige. Akaisa mutumbi wake muguva rake, vakamuchema vakati, “Yowe-e, hama yangu!” Mushure mokumuviga, akati kuvanakomana vake, “Kana ndafa, mundivige muguva mataviga munhu waMwari; muise mapfupa angu parutivi peake. Nokuti zvaakataura neshoko raJehovha pamusoro pearitari iri muBheteri napamusoro pedzimba dzose dziri panzvimbo dzakakwirira mumaguta eSamaria zvichaitika saizvozvo.” Kunyange shure kwaizvozvi, Jerobhoamu haana kupinduka pamaitiro ake akaipa, asi akasarudzazve vaprista venzvimbo dzakakwirira kubva kuvanhu vakangosiyana-siyana. Munhu wose wose aida kuva muprista aigadzwa kuti ashande panzvimbo dzakakwirira. Ichi ndicho chivi cheimba yaJerobhoamu chakaita kuti iwe uye iparare pamusoro penyika. Panguva iyoyo Abhija, mwanakomana waJerobhoamu, akarwara, uye Jerobhoamu akati kumukadzi wake, “Enda undozvivanza, kuti urege kuzivikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu. Ipapo ugoenda kuShiro. Ahija muprofita ariko ikoko, uya akandiudza kuti ndichava mambo wavanhu ava. Tora zvingwa gumi, makeke negaba rouchi ugoenda nazvo kwaari. Achakuudza zvichaitika kumukomana.” Naizvozvo mukadzi waJerobhoamu akaita sezvaakataura akaenda kumba kwaAhija muShiro. Zvino Ahija akanga asisaoni; meso ake akanga asisaone nokuti akanga akwegura. Asi Jehovha akaudza Ahija kuti, “Mukadzi waJerobhoamu ari kuuya kuzokubvunza nezvomwanakomana wake, nokuti ari kurwara. Zvino iwe uchamupa mhinduro yokuti neyokuti. Paachasvika achazviita somumwe munhu.” Zvino Ahija paakanzwa mutsindo wetsoka dzake pamusuo, akati, “Pinda, mukadzi waJerobhoamu. Sei uchizviita somumwe munhu? Ndatumwa kwauri namashoko asina kunaka. Enda undoudza Jerobhoamu kuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsraeri: ‘Ndakakusimudza kubva pakati pavanhu ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri. Ndakabvarura umambo kubva muimba yaDhavhidhi ndikahupa kwauri, asi hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi, akachengeta mirayiro yangu uye akanditevera nomwoyo wake wose, akaita zvakanaka chete pamberi pangu. Iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakararama iwe usati wavapo. Wakazviitira vamwe vamwari, zviumbwa zvakaitwa nesimbi; waita kuti nditsamwe uye ukandirasira shure kwako. “ ‘Nokuda kwezvinhu izvi ndichauyisa dambudziko paimba yaJerobhoamu. Ndichauraya varume vose vaJerobhoamu nhapwa, neakasu-nunguka. Ndichapisa imba yaJerobhoamu sezvinoita munhu anopisa ndove, kusvikira pasisina chinhu. Imbwa dzichadya vose vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango. Jehovha ataura!’ “Kana uriwe, dzokera kumba. Panotsika tsoka yako muguta rako, mwanakomana achafa. Israeri yose ichamuchema igomuviga. Ndiye oga waJerobhoamu achavigwa, nokuti ndiye oga mumba maJerobhoamu aonekwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kuti ane chakanaka maari. “Jehovha achazvimutsira mambo waIsraeri achaparadza mhuri yaJerobhoamu. Nhasi ndiro zuva racho! Hongu, kana iye zvino. Zvino Jehovha acharova Israeri, zvokuti ichaita setsanga iri kuzungunutswa mumvura. Achadzura Israeri kubva mu-nyika yakanaka iyi yaakapa kumadzitateguru avo agovaparadzira mhiri kwoRwizi, nokuti vakaita kuti Jehovha atsamwe nehasha pavakaitira Ashera mapango. Acharamwa Israeri nokuda kwezvivi zvakaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite.” Ipapo mukadzi waJerobhoamu akasimuka akaenda, akasvika kuTiza. Achingoti tsikei pachikumbaridzo cheimba, mwanakomana akabva afa. Vakamuviga, uye Israeri yose yakamuchema, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake muprofita Ahija. Zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaJerobhoamu, hondo dzake namatongero ake, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri. Akatonga kwamakore makumi maviri namaviri akazorora namadzibaba ake. Nadhabhi mwanakomana wake akamutevera paumambo. Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni akanga ari mambo munyika yeJudha. Akanga ana makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha kubva pamarudzi ose aIsraeri kuti aise Zita rake mariri. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni. VaJudha vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. Vakamutsa godo rake, kupfuura zvakaitwa namadzibaba avo, nezvivi zvavakaita. Vakazvivakirawo nzvimbo dzakakwirira, matombo anoera namapango aAshera pazvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose mikuru. Kwaivawo navarume vaizviita vakadzi vavamwe varume munyika, vanhu vakaita zvose zvinonyangadza zvaiitwa namarudzi ayo akanga adzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Shishaki, mambo weIjipiti, akarwisa Jerusarema. Akatora pfuma yose yetemberi yaJehovha nepfuma yose yomuzinda wamambo. Akatora zvinhu zvose, kusanganisira nenhoo dzose dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni. Naizvozvo Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kuti dzitore nzvimbo yadzo uye akadzipa kuvatungamiri vavarindi vaichengeta suo romuzinda wamambo. Nguva dzose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaitakura nhoo, mushure mezvo vachizodzidzosera kuimba yavarindi. Zvino mamwe amabasa okutonga kwaRehobhoamu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha? Rehobhoamu naJerobhoamu vaingogara vachirwisana. Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pavakanga vakavigwa muguta raDhavhidhi. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore regumi namasere roumambo hwaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija akagadzwa samambo weJudha. Akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka mwanasikana waAbhisharomu. Iye akaita zvivi zvose zvakanga zvaitwa nababa vake asati ava mambo; mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake sezvakanga zvakaita mwoyo watateguru wake Dhavhidhi. Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake akamupa mwenje muJerusarema nokumutsa mwanakomana kuti amutevere paumambo uye nokusimbisa Jerusarema. Nokuti Dhavhidhi akanga aita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha uye akanga asina kutadza kuchengeta kana ipi zvayo yemirayiro yaJehovha mumazuva ose oupenyu hwake, kunze kwenyaya yaUria muHiti. Paiva nehondo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu muupenyu hwose hwaAbhija. Kana zviri zvimwe zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaAbhija, nazvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aJudha? Pakati paAbhija naJerobhoamu pakanga pane hondo. Abhija akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa, mwanakomana wake, akamutevera paumambo. Mugore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo weIsraeri. Asa akava mambo weJudha, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana negore rimwe chete. Zita rambuya vake raiva Maaka, mwanasikana waAbhisharomu. Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi. Akabvisa varume vaizviita zvipfeve zvavamwe varume panzvimbo dzokupira munyika uye akabvisa zvifananidzo zvose zvakanga zvaitwa namadzibaba ake. Akabvisawo mbuya vake Maaka pachinzvimbo chavo samai vamambo, nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda iri akaripisa muMupata weKidhironi. Kunyange asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira, mwoyo waAsa wakanga wakazvipira zvizere kuna Jehovha muupenyu hwake hwose. Akauyisa mutemberi yaJehovha sirivha negoridhe nezvinhu zvaakanga akumikidza iye nababa vake. Pakanga pane hondo pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri munguva yose yavakanga vachitonga. Bhaasha, mambo weIsraeri, akaenda kundorwa neJudha, akasimbisa Rama kuti adzivise ani naani zvake kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha. Ipapo Asa akatora sirivha yose negoridhe rose rakanga rasara mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nezvose zvaiva mumuzinda wake. Akazvipa kumachinda ake akazvitumira kuna Bhenihadhadhi, mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHezioni, mambo weAramu, akanga achitonga muDhamasiko. Akati, “Ngatinyoreranei chibvumirano imi neni, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndakutumirai chipo chesirivha negoridhe. Zvino imi chiputsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo weIsraeri kuitira kuti abve kuno kwandiri.” Bheni-hadhadhi akabvumirana naMambo Asa akatumira vatungamiri vamauto ake kuti vandorwisa maguta eIsraeri. Akakunda Ijoni, Dhani, Abheri Bheti Maaka neKinereti yose pamwe chete neNafutari. Bhaasha paakanzwa izvi akaregera kuvaka Rama akadzokera kuTiza. Ipapo Mambo Asa akarayira Judha yose, hapana akasiyiwa, ivo vakatora kubva kuRama matombo namatanda akanga achishandiswa naBhaasha ikoko. Mambo Asa akaashandisa kuvaka Gebha muBhenjamini, neMizipawo. Kana zviri zvimwe zvose zvakaitika panguva yokutonga kwaAsa, zvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha? Zvisinei, panguva yokukwegura kwake, tsoka dzake dzakabatwa nechirwere. Ipapo Asa akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta rababa vake Dhavhidhi. Zvino mwanakomana wake Jehoshafati akamutevera paumambo. Nadhabhi, mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri mugore rechipiri raAsa mambo weJudha, uye akatonga Israeri kwamakore maviri. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzababa vake nomuchivi chavo, icho chaakaita kuti Israeri iite. Bhaasha, mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, akamuuraya paGibhetoni guta romuFiristia, panguva yarakanga rakombwa naNadhabhi navaIsraeri vose. Bhaasha akauraya Nadhabhi mugore rechitatu raAsa, mambo weJudha, uye akamutevera paumambo. Achingoti tangei kutonga, akabva auraya mhuri yose yaJerobhoamu. Haana kusiyira Jerobhoamu mumwe chete achifema, asi akavaparadza vose sezvazvakarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake Ahija muShiro, nokuda kwezvivi zvakanga zvaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite, uye nokuti akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? Pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri, pakanga pane hondo panguva yose yokutonga kwavo. Mugore rechitatu raAsa mambo weJudha, Bhaasha, mwanakomana waAhija, akava mambo weIsraeri yose muTiza, uye akatonga kwamakore makumi maviri namana. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani richipikisana naBhaasha richiti, “Ndakakusimudza kubva muguruva ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri, asi wakafamba munzira dzaJerobhoamu ukaita kuti vanhu vangu Israeri vaite chivi, nokuita kuti nditsamwe nokuda kwezvivi zvavo. Naizvozvo ndava kuda kuparadza Bhaasha neimba yake, uye ndichaita kuti imba yako ifanane neimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati. Imbwa dzichadya vose vaBhaasha vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango.” Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaBhaasha, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? Bhaasha akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muTiza. Zvino Era, mwanakomana wake, akamutevera paumambo. Pamusoro paizvozvo, shoko raJehovha rakauyawo nokumuprofita Jehu mwanakomana waHanani kuna Bhaasha neimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakanga aita pamberi paJehovha achimutsamwisa nezvaakaita, achifanana neimba yaJerobhoamu, uyewo nokuti akaiparadza. Mugore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo weJudha, Era, mwanakomana waBhaasha akava mambo weIsraeri, uye akatonga muTiza kwamakore maviri. Zimuri, mumwe wamachinda ake, aitungamirira hafu yengoro dzake, akamumukira. Era akanga ari muTiza panguva iyoyo, achidhakwa zvake pamba paAza, murume aichengeta muzinda wamambo paTiza. Zimuri akapinda, akamubaya akamuuraya, mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha. Ipapo akabva amutevera paumambo. Paakatanga kutonga, achangogara pachigaro choushe, akauraya mhuri yose yaBhaasha. Haana kusiya murume mumwe chete, hama kana shamwari. Saizvozvo Zimuri akaparadza mhuri yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa richipikisa Bhaasha nokumuprofita Jehu, nokuda kwezvivi zvose zvakanga zvaitwa naBhaasha nomwanakomana wake Era nezvaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe, nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? Mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha, Zimuri akatonga muTiza kwamazuva manomwe. Varwi vakanga vakadzika misasa pedyo neGibhetoni, guta ravaFiristia. VaIsraeri vakanga vari kumisasa pavakanzwa kuti Zimuri akanga amukira mambo akamuuraya, vakagadza Omuri mutungamiri wehondo, kuti ave mambo weIsraeri musi iwoyo mumusasa. Zvino Omuri, navaIsraeri vose vaaiva navo, vakabva kuGibhetoni vakauya kuzokomba Tiza. Zimuri paakaona kuti guta rakanga ratorwa, akaenda kunhare yomuzinda wamambo akabva azvipisira mumuzinda. Naizvozvo akafa, nokuda kwezvivi zvaakanga aita, achiita zvakaipa pamberi paJehovha uye achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chaakanga aita, uye nechivi chaakanga aita kuti Israeri iite. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaZimuri, nokumukira kwake kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aIsraeri? Ipapo vanhu veIsraeri vakaparadzana vakaita zvikwata zviviri; hafu ikatevera Tibhini, mwanakomana waGinati, kuti ave mambo, uye imwe hafu ikatevera Omuri. Asi vateveri vaOmuri vakakunda vateveri vaTibhini, mwanakomana waGinati. Saka Tibhini akafa, Omuri akava mambo. Mugore ramakumi matatu nerimwe raAsa, mambo weJudha, Omuri akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore gumi namaviri, matanhatu acho muTiza. Akatenga gomo reSamaria kubva kuna Shemeri namatarenda maviria esirivha uye akavaka guta pagomo iri, achiritumidza kuti Samaria, zvichibva pana Shemeri, zita rouyo aimbova muridzi wegomo. Asi Omuri akaita zvakaipa pamberi paJehovha uye akatadza kupfuura vose vakanga vamutangira. Akafamba munzira dzose dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaOmuri, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? Omuri akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Uye Ahabhu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore ramakumi matatu namasere raAsa, mambo weJudha, Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akava mambo weIsraeri, uye akatonga Israeri muSamaria kwamakore makumi maviri namaviri. Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akaita zvakaipa pamberi paJehovha kupfuura vose vakamutangira. Akazviona zviri zvinhu zvidiki kuita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye pamusoro pezvo akawana Jezebheri mwanasikana waEtibhaari mambo wavaSidhoni, akatanga kushandira Bhaari uye akamunamata. Akavakira Bhaari aritari mutemberi yaBhaari yaakavaka muSamaria. Ahabhu akagadzirawo danda raAshera uye akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe kupfuura zvakaita madzimambo akamutangira. Munguva yaAhabhu, Hieri wokuBheteri akavakazve Jeriko. Mwanakomana wake wedangwe, Abhiramu, akafa paakavaka hwaro hweguta, uye mwanakomana wake wegotwe Segubhi akafa paakamisa masuo aro, sezvazvakarehwa neshoko raJehovha naJoshua mwanakomana waNuni. Zvino Eria muTishibhi aigara muGireadhi, akati kuna Ahabhu, “NaJehovha, Mwari waIsraeri mupenyu, wandinoshumira, hakuchazovi nedova kana mvura inonaya mumakore ano kunze kwokutenge ndareva ini.” Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Eria richiti, “Ibva pano, nanga kumabvazuva undovanda paRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani. Uchanwa mvura yorukova urwu, uye ndarayira makunguwo kuti akupe zvokudya ikoko.” Saka akaita zvaakanga audzwa naJehovha. Akaenda kuRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani, akagarako. Makunguwo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani nechingwa nenyama manheru, uye akanwa mvura murukova. Mushure menguva yakati, rukova rwakapwa nokuti mvura yakanga isinganayi panyika. Zvino shoko raJehovha rakauya kwaari richiti, “Simuka izvozvi uende kuZarefati kunyika yeSidhoni undogarako. Ndarayira chirikadzi iri munzvimbo iyoyo kuti ikupe zvokudya.” Naizvozvo akaenda kuZarefati. Paakasvika pasuo reguta, chirikadzi yakanga iripo ichitsvaga huni. Akamudana akamubvunza akati, “Mungandivigirawo mvura shoma shoma mumukombe here kuti ndinwe?” Paakanga ava kuenda kundoitora, iye akadanidzira akati, “Mundivigirewo chimedu chechingwa, ndapota.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa. Ndinongova netufurawu tushomashoma muhari namafuta mashomashoma muhari. Ndiri kunhonga huni shoma shoma kuti ndiende nadzo kumba ndinozvibikira kudya ini nomwanakomana wangu, kuti tigodya, tife.” Eria akati kwaari, “Usatya. Enda kumba undoita sezvawareva. Asi tanga wandibikira chingwa chiduku pane zvaunazvo ugouya nacho kwandiri, mushure ugozvigadzirira iwe nomwanakomana wako. Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Furawu iri muhari imomo haizoperi uye mafuta ari muhari haazoperi kusvikira zuva iro richanayiswa mvura panyika naJehovha.’ ” Akaenda akandoita sezvaakanga audzwa naEria. Saka zvokudya zvaEria zvakavapo mazuva ose uyewo nezvomukadzi nemhuri yake. Furawu yaiva muhari haina kupera uye mafuta aiva muhari haana kupera, sezvazvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria. Kwapera nguva yakati, mwanakomana womukadzi, muridzi weimba, akarwara. Kurwara kwake kwakanyanya kwazvo, pakupedzisira akamira kufema. Mukadzi akati kuna Eria, “Ndakakutadzireiko, munhu waMwari? Wakauya here kuzondirangaridza chivi changu nokuuraya mwanakomana wangu?” Eria akapindura akati, “Ndipe mwanakomana wako kuno.” Akamutora kubva mumaoko ake, akamutakura akaenda naye kuimba yapamusoro yaaigara, akamuradzika pamubhedha wake. Ipapo akadanidzira kuna Jehovha akati, “Haiwa, Jehovha Mwari wangu, mauyisawo here dambudziko pachirikadzi iyi yandiri kugara nayo, nokuuraya mwanakomana wayo?” Ipapo akazvambarara pamusoro pomukomana katatu akadanidzira kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha Mwari wangu, itai kuti mweya womukomana uyu udzokere maari!” Jehovha akanzwa kudanidzira kwaEria, mweya womukomana ukadzokera maari, uye akararama. Eria akatora mwana akamutakura achibuda mumba maakanga ari akaenda naye mumba huru. Akamupa kuna mai vake akati, “Tarirai, mwanakomana wenyu mupenyu!” Ipapo mukadzi akati kuna Eria, “Zvino ndazoziva kuti muri munhu waMwari uye kuti shoko raJehovha rinobuda mumuromo menyu nderechokwadi.” Zvino mushure menguva huru, mugore rechitatu, shoko raJehovha rakauya kuna Eria richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhu, uye ini ndichanayisa mvura panyika.” Saka Eria akaenda kundozviratidza kuna Ahabhu. Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo muSamaria, uye Ahabhu akanga adana Obhadhia uyo akanga ari mutariri womuzinda wake. (Obhadhia akanga achitenda kuna Jehovha zvikuru kwazvo. Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha, Obhadhia akanga atora vaprofita zana akavaviga mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe. Uye akavapa kudya nemvura.) Ahabhu akanga ati kuna Obhadhia, “Enda munyika umu kuzvitubu zvose nemipata yose. Zvimwe tingawana uswa tiraramise mabhiza namahesera kuitira kuti tirege kuzouraya kana chimwe chete chezvipfuwo zvedu.” Saka vakagovana nzvimbo dzavaizoenda, Ahabhu achienda kune rimwe divi, Obhadhia kune rimwewo divi. Obhadhia akati achifamba, Eria akasangana naye. Obhadhia akamuziva akakotamira pasi, uye akati, “Chaizvoizvo chokwadi, ndimi here ishe wangu Eria?” Akapindura akati, “Hongu. Enda undoudza ishe wako kuti, ‘Eria ari kuno.’ ” Obhadhia akabvunza akati, “Ndatadzeiko zvamava kuendesa muranda wenyu kuna Ahabhu kuti andourayiwa? Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, ishe wangu, kwaasina kutuma mumwe munhu kuti andokutsvagai. Uye kana pane nyika kana rudzi vaiti makanga musiko, aitovamanikidza kuti vapike kuti vakanga vakushayai. Asi zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’ Ini handizivi kuti Mweya waJehovha uchakuendesai kupi kana ndabva pano pamuri. Kana ndikaenda kundoudza Ahabhu, iye akazokushayai, anondiuraya. Asi ini muranda wenyu ndakashumira Jehovha kubvira pauduku hwangu. Ishe wangu, hamuna kunzwa here zvandakaita, Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha? Ndakaviga vaprofita vaJehovha zana mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe uye ndakavapa kudya nemvura. Zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’ Anondiuraya!” Eria akati, “NaJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshandira, zvirokwazvo ndichazvipira kuna Ahabhu nhasi.” Saka Obhadhia akaenda kundosangana naAhabhu akamuudza, uye Ahabhu akaenda kundosangana naEria. Paakaona Eria, akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi weIsraeri?” Eria akapindura akati, “Handina kuuyisa dambudziko kuIsraeri, asi imi nemhuri yenyu ndimi makadaro. Makasiya mirayiro yaJehovha mukatevera Bhaari. Zvino danai vanhu muIsraeri yose kuti vazosangana neni paGomo reKarimeri. Muuyewo namazana mana namakumi mashanu avaprofita vaBhaari namazana mana avaprofita vaAshera vanodya patafura yaJezebheri.” Saka Ahabhu akatuma shoko muIsraeri yose akaunganidza vaprofita paGomo reKarimeri. Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.” Asi vanhu havana chavakataura. Zvino Eria akati kwavari, “Ini chete pavaprofita vaJehovha ndini ndasara, asi Bhaari ane vaprofita mazana mana namakumi mashanu. Titorerei hando mbiri. Ivo ngavazvisarudzire yavo, uye ngavaicheke-cheke kuita zvidimbu zvidimbu vagoiisa pamusoro pehuni, asi havafaniri kudzitungidza nomoto. Ini ndichagadzira imwe hando yacho ndigoyiisa pamusoro pehuni asi handizodzitungidzi nomoto. Ipapo mudane kuzita ramwari wenyu, uye ini ndichadana kuzita raJehovha. Mwari achapindura nomoto ndiye Mwari.” Ipapo vanhu vose vakati, “Zvawataura zvakanaka.” Eria akati kuvaprofita vaBhaari, “Sarudzai imwe yehando idzi mugotanga imi kuigadzira, sezvo makawanda. Danai kuzita ramwari wenyu, asi musatungidza moto.” Saka vakatora hando yavakanga vapiwa vakaigadzira. Ipapo vakadana kuzita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati. Vakadanidzira vakati, “Bhaari, tipindure!” Asi mhinduro haina kuwanikwa; hapana akapindura. Vakatamba vachipoterera aritari yavakanga vaita. Ava masikati, Eria akatanga kuvatuka akati, “Danidzirisai! Zvirokwazvo ndimwari! Zvichida ari kufunga zvakadzama kwazvo, kana kuti ane basa kwazvo, kana kuti ari parwendo. Zvimwe akavata zvokuti anotofanira kumutswa.” Saka vakatonyanyisa kudanidzira, vakazvicheka-cheka neminondo namapfumo, setsika yavo, kusvikira ropa ravo raerera. Masikati akapfuura, ivo vakaramba vachiprofita zveshungu kusvikira nguva yechibayiro chamanheru. Asi hapana chakaitika, hapana akapindura, hapana akaratidza hanya. Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Uyai kuno kwandiri.” Vakauya kwaari, iye akagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa. Eria akatora mabwe gumi namaviri, rimwe chete rakamirira rudzi rumwe chete rwavanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti, “Zita rako richava Israeri.” Akashandisa mabwe aya kuvaka aritari muzita raJehovha, uye akachera mugero waipoteredza aritari wakanga wakakura zvokuti waikwana maseya maviria embeu. Akaronga huni, akacheka hando kuita zvidimbu zvidimbu, akaiisa pamusoro pehuni. Ipapo akati kwavari, “Zadzai zvirongo zvikuru zvina nemvura mugoidira pamusoro pechipiriso napamusoro pehuni.” Akati, “Pamhidzai zvakare,” ivo vakapamhazve. Akatizve, “Pamhidzai kechitatu.” Mvura yakaerera ichipoteredza aritari ikazadzawo nomugero. Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira. Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.” Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero. Vanhu vose pavakaona izvi, vakawira pasi nezviso zvavo, vakadanidzira vachiti, “Jehovha ndiye Mwari! Jehovha ndiye Mwari!” Ipapo Eria akavarayira akati, “Batai vaprofita vaBhaari. Musarega kana mumwe chete achipunyuka!” Vakavabata, uye Eria akaita kuti vaendeswe zasi kuMupata weKishoni vakandourayirwako. Uye Eria akati kuna Ahabhu, “Chienda undodya uye unwe, nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji.” Saka Ahabhu akaenda kundodya nokunwa, asi Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akakotamira pasi akaisa chiso chake pakati pamabvi ake. Akaudza muranda wake kuti, “Enda undotarisa kwakadziva kugungwa.” Akakwira akandotarisa. Akati, “Hakuna chiriko uku.” Eria akati, “Dzokerazve,” kanomwe. Kechinomwe muranda akati, “Gore duku rakaenzana nechanza chomunhu riri kukwira richibva mugungwa.” Saka Eria akati, “Enda undoudza Ahabhu kuti, ‘Sunga ngoro yako uburuke usati wadzivirirwa nemvura.’ ” Panguva imwe cheteyo denga rakasviba namakore, mhepo ikavhuvhuta, mvura zhinji ikauya, Ahabhu akaenda nengoro kuJezireeri. Simba raJehovha rakauya pana Eria, akasunga jasi rake nebhanhire, akamhanya pamberi paAhabhu nzira yose kusvika kuJezireeri. Zvino Ahabhu akaudza Jezebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria nokuuraya kwaakanga aita vaprofita vose nomunondo. Ipapo Jezebheri akatuma nhume kuna Eria kundoti, “Vamwari ngavandirange, vanyanyise kudaro, kana nenguva ino mangwana, ndikasaita kuti upenyu hwako hufanane nehwomumwe wavo.” Eria akatya akatiza kuti aponese upenyu hwake. Paakasvika kuBheerishebha muJudha, akasiya muranda wake ikoko, iye pachake akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda mugwenga. Akasvika pamuti womurara, akagara pasi pawo akanamata kuti achifa. Akati, “Zvaringana hazvo, Jehovha. Chitorai upenyu hwangu; handipfuuri madzitateguru angu pakururama.” Ipapo akarara pasi pomuti akabatwa nehope. Pakarepo mutumwa akamubata akati, “Simuka udye.” Akatarisa-tarisa, akaona chingwa chakanga chabikwa pamazimbe omoto pedyo nomusoro wake, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akabva arara zvakare. Mutumwa waJehovha akadzoka kechipiri akamubata akati, “Simuka udye, nokuti rwendo rungakuremera.” Naizvozvo akamuka akadya, akanwa. Zvokudya izvozvo zvakamupa simba zvokuti akafamba kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana kusvikira asvika paHorebhi, gomo raMwari. Ipapo akapinda mubako akarara usiku hwose. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti, “Uri kuiteiko pano, Eria?” Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.” Jehovha akati, “Buda panze umire pagomo pamberi paJehovha, nokuti Jehovha ari kuda kuzopfuura nepo.” Ipapo mhepo huru ine simba yakapamura makomo ikapwanya mabwe pamberi paJehovha, asi Jehovha akanga asiri mumhepo. Mushure memhepo, pakava nokudengenyeka kwenyika, asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka ikoko. Mushure mokudengenyeka kwenyika kwakauya moto, asi Jehovha akanga asiri mumoto. Uye shure kwomoto akanzwa inzwi richitaura nakazevezeve kakapfava. Eria paakarinzwa, akafukidza chiso chake nejasi rake akabuda panze akamira pamuromo webako. Ipapo inzwi rakati kwaari, “Uri kuiteiko pano, Eria?” Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.” Jehovha akati kwaari, “Dzokera nenzira yawauya nayo, ugoenda kuGwenga reDhamasiko. Kana wasvikako, uzodze Hazaeri kuti ave mambo weAramu. Uzodzezve Jehu, mwanakomana waNimishi kuti ave mambo weIsraeri, ugozodza Erisha, mwanakomana waShafati wokuAbheri Mehora kuti atore nzvimbo yako somuprofita. Jehu achauraya vose vachapunyuka munondo waHazaeri, uye Erisha achaurayawo vose vachapunyuka munondo waJehu. Kunyange zvakadaro, ndakachengeta zviuru zvinomwe zvavanhu muIsraeri, vose vane mabvi asina kupfugamira Bhaari uye vane miromo isina kumutsvoda.” Naizvozvo Eria akabvapo akandowana Erisha mwanakomana waShafati. Akanga achirima nehando dzakasungwa pamajoko gumi namaviri, iye achichaira joko regumi namaviri. Eria akaenda kwaari akakanda jasi rake paari. Ipapo Erisha akasiya hando dzake akamhanya achitevera Eria. Akati, “Regai ndimbonotsvoda baba namai vangu ndichionekana navo, ndigozoenda nemi.” Eria akati, “Dzokera zvako. Ndakuiteiko?” Naizvozvo Erisha akamusiya akadzokera. Akatora hando dzejoko rake akadzibaya. Akashandisa zvaairimisa sehuni dzokubikisa nyama yacho, akaipa kuvanhu, ndokubva vadya. Ipapo akasimuka akatevera Eria akabva ava muranda wake. Zvino Bheni-hadhadhi mambo weAramu akaunganidza varwi vake vose. Achibatsirwa namadzimambo makumi matatu namaviri vaine mabhiza avo nengoro, akaenda akakomba Samaria akarirwisa. Akatuma nhume muguta kuna Ahabhu mambo weIsraeri kundoti, “Zvanzi naBheni-hadhadhi, ‘Sirivha yako negoridhe ndezvangu, uye vakadzi vako navana vako vakanyanyisa kunaka ndevangu.’ ” Mambo weIsraeri akapindura akati, “Sezvamataura, ishe wangu mambo. Ini nezvose zvandinazvo ndiri wenyu.” Nhumwa dzakauya zvakare ndokusvikoti, “Zvanzi naBheni-hadhadhi, ‘Ndakatumira shoko rokuti ndinoda sirivha yako negoridhe, navakadzi vako navana vako. Asi mangwana nenguva yakaita seino ndichatuma varanda vangu kuti vazotsvagisisa mumuzinda wako nomudzimba dzavaranda vako. Vachatora zvose zvaunokoshesa vagoenda nazvo.’ ” Mambo weIsraeri akadana vakuru vose venyika akati kwavari, “Tarisai muone kuti murume uyu ari kutsvaga muromo sei! Paakati ari kuda kutora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu negoridhe rangu, handina kurambira.” Vakuru navanhu, vose vakapindura vakati, “Musateerera kwaari kana kubvumirana nezvaari kuda.” Naizvozvo akapindura nhume dzaBhenihadhadhi akati, “Udzai ishe wangu mambo kuti, ‘Muranda wenyu achaita zvose zvamakamukumbira pakutanga, asi chikumbiro ichi chazvino handigoni kuchizadzisa.’ ” Vakasimuka vakaenda nemhinduro kwavakanga vabva, kuna Bheni-hadhadhi. Saka Bheni-hadhadhi akatumira rimwe shoko kuna Ahabhu achiti, “Vamwari ngavaitewo kwandiri, vanyanyise kudaro, kana guruva ringakwana kupa mumwe nomumwe wamauto angu kuti azadze chanza chake rikasara muSamaria.” Mambo weIsraeri akapindura akati, “Muudzei kuti, ‘Uyo anoshonga nhumbi dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza souyo anodzibvisa.’ ” Bheni-hadhadhi akanzwa shoko iri iye namadzimambo pavakanga vachinwa vari mumisasa, akabva arayira mauto ake akati, “Gadzirirai kundorwisa.” Saka vakagadzirira kundorwisa guta. Panguva iyoyo mumwe muprofita akauya kuna Ahabhu mambo weIsraeri, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Uri kuona hondo huru huru iyi here? Ndichaiisa muruoko rwako nhasi, ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Ahabhu akabvunza akati, “Asi ndiani achaita izvi?” Muprofita akapindura akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Majaya amachinda omumatunhu ndiwo achazviita.’ ” Akabvunza akati, “Zvino ndiani achatanga hondo yacho?” Muprofita akapindura akati, “Ndiwe uchaitanga.” Saka Ahabhu akaunganidza majaya amachinda omumatunhu, varume vaikwana mazana maviri namakumi matatu navaviri. Mushure akaunganidza vamwe vaIsraeri, pamwe chete zviuru zvinomwe. Vakasimuka masikati, Bheni-hadhadhi namadzimambo makumi matatu navaviri vaiva kudivi rake panguva yavakanga vari mumisasa yavo vachidhakwa. Majaya amachinda omumatunhu ndiwo akatanga kuenda. Zvino Bheni-hadhadhi akanga atuma vashori uye vakamuudza kuti, “Kune mauto ari kubva kuSamaria.” Akati, “Kana vauya kuzotsvaga rugare, vabatei vari vapenyu; kana vauya kuzorwa, vabatei vari vapenyu.” Majaya amachinda omumatunhu akafamba achibuda muguta varwi vari mumashure mavo uye mumwe nomumwe wavo akauraya waakarwisana naye. VaAramu vakatiza, vaIsraeri vachivadzingirira. Asi Bheni-hadhadhi mambo weAramu akatiza akatasva bhiza, navamwe vavarwi vake vaiva namabhiza. Mambo weIsraeri akabuda akakunda mabhiza nengoro, akauraya vaAramu vakawanda kwazvo. Mushure maizvozvo, muprofita akauya kuna mambo weIsraeri akati, “Simbisa chinzvimbo chako ugoona zvinofanira kuitwa, nokuti muchirimo chiri kutevera mambo weAramu achakurwisa zvakare.” Panguva imwe cheteyo, varanda vamambo weAramu vakati kwaari, “Vamwari vavo ndavamwari vamakomo. Ndicho chikonzero vakatikurira. Asi tikarwa navo mumapani, zvirokwazvo tichavakurira. Itai izvi: Bvisai madzimambo ose panzvimbo dzavo dzokutonga mugovatsiva navamwe vabati. Munofanirawo kuzviunganidzira hondo yakafanana neyamakarasikirwa nayo, bhiza nebhiza nengoro nengoro, kuitira kuti tikwanise kurwa navaIsraeri mumapani. Ipapo zvirokwazvo tichavakurira.” Akabvumirana navo akaita saizvozvo. Muchirimo chakatevera Bheni-hadhadhi akaunganidza vaAramu akakwira kuAfeki kundorwa neIsraeri. VaIsraeri vakati vaunganidzwawo nokupiwa zvose zvinodiwa pakurwa hondo, vakafamba vachienda kundosangana navo. VaIsraeri vakadzika musasa wavo vakatarisana navo, vachinge mapoka maduku maviri embudzi, ukuwo vaAramu vakazadza nyika. Munhu waMwari akauya akaudza mambo weIsraeri kuti, “Zvanzi naJehovha, ‘Nokuda kwokuti vaAramu vanofunga kuti Jehovha ndimwari wamakomo, uye kuti haasi mwari wemipata, ndichaisa hondo huru huru iyi mumaoko ako, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Kwamazuva manomwe vakagara pamisasa yavo vakatarisana, uye nezuva rechinomwe hondo yakatanga. VaIsraeri vakauraya zana rezviuru zvamauto etsoka avaAramu musi mumwe chete. Vakasara vakatizira kuguta reAfeki, uko kwakandowira rusvingo pamusoro pezviuru makumi maviri nezvinomwe zvavo. Uye Bheni-hadhadhi akatizira kuguta akandohwanda muimba yomukati. Varanda vake vakati kwaari, “Tarirai, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri ane tsitsi. Ngatiendei kuna mambo weIsraeri takasungirira masaga muzviuno zvedu, uye takasunga misoro yedu netambo. Zvichida angakuregai muri mupenyu.” Vakasungirira masaga muzviuno zvavo vakasunga misoro yavo netambo, vakabva vaenda kuna mambo weIsraeri vakasvikoti, “Muranda wenyu Bheni-hadhadhi ati, ‘Ndapota, dai mangondirega ndararama.’ ” Mambo akapindura akati, “Achiri mupenyu nazvino? Ihama yangu.” Varume ava vakazviona sechiratidzo chakanaka ndokukurumidza kutevedzera zvaakanga areva. Vakati, “Hongu, hama yenyu Bheni-hadhadhi!” Mambo akati, “Endai munomutora.” Bhenihadhadhi akati achibuda, Ahabhu akamukwidza mungoro yake. Bheni-hadhadhi akati kwaari, “Ndichadzosera maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako. Unogonawo kuisa misika yako muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamaria.” Ahabhu akati, “Nokuda kwechibvumirano ichi, ndichakusunungura.” Saka akaita chibvumirano naye, akamurega achienda. Mumwe wavanakomana vavaprofita arayirwa naJehovha, akati kushamwari yake, “Ndirove!” asi murume uyu akaramba. Naizvozvo muprofita akati, “Zvausina kuteerera Jehovha, uchingobva pano pandiri, uchaurayiwa neshumba.” Zvino murume uyu achangobva paakanga ari, shumba yakamuwana ikamuuraya. Muprofita akawana mumwe murume akati, “Ndapota, ndirove.” Naizvozvo murume uyu akamurova, akamukuvadza. Ipapo muprofita akaenda akandomirira mambo pamugwagwa. Akazviita somumwe munhu akakwevera pasi mucheka wake womusoro kuti uvharidzire maziso ake. Mambo paakanga ava kupfuura nepo muprofita akadanidzira kwaari akati, “Muranda wenyu akaenda pakatikati pehondo payakanga ichirwiwa, mumwe munhu akauya kwandiri nomusungwa akati, ‘Chengeta murume uyu. Kana akashayikwa upenyu hwako huchatsiva hwake, kana kuti ucharipa netarendaa resirivha.’ Muranda wenyu paakanga ari mubishi rokuita basa pano nekoko, murume uya akanyangarika.” Mambo weIsraeri akati, “Iwoyo ndiwo mutongo wako. Ndiwe wautaura woga.” Ipapo muprofita akakurumidza kubvisa mucheka pamaziso ake, mambo weIsraeri akabva amuziva kuti aiva mumwe wavaprofita. Akati kuna mambo, “Zvanzi naJehovha, ‘Wakasunungura munhu wandakanga ndati anofanira kufa. Naizvozvo upenyu hwako huchatsiva hwake, vanhu vako vachatsiva vanhu vake.’ ” Mambo weIsraeri akaenda kumuzinda wake muSamaria aora mwoyo uye ashatirwa. Kwapera nguva yakati, pane imwe nyaya yakaitika pamusoro pomunda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri. Munda wemizambiringa uyu waiva muJezireeri, pedyo nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria. Ahabhu akati kuna Nabhoti, “Ndipe munda wako wemizambiringa kuti ndiuite bindu romuriwo, sezvo uri pedyo nomuzinda wangu. Ini ndichatsinhanhisa nokukupa munda wemizambiringa uri nani, kana kuti, kana uchida, ndichakuripa mari inoenderana nomutengo wawo.” Asi Nabhoti akapindura akati, “Jehovha ngaazvirambidze kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” Saka Ahabhu akaenda kumba akasuwa uye akashatirwa nokuti Nabhoti muJezireeri akanga ati, “Handisi kuzokupai nhaka yamadzibaba angu.” Akarara pamubheda wake akazvidya mwoyo, akaramba kudya. Jezebheri, mukadzi wake, akapindamo akamubvunza akati, “Sei makasuwa kudai? Sei musiri kudya?” Akamupindura akati, “Nokuti ndati kuna Nabhoti muJezireeri, ‘Nditengesere munda wako wemizambiringa; kana kuti, kana uchida, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa kune imwe nzvimbo kuti, utsive uyu.’ Asi iye ati, ‘Handisi kuzokupai munda wangu wemizambiringa.’ ” Jezebheri, mukadzi wake akati, “Izvi ndizvo here zvamunoita samambo weIsraeri? Simukai mudye! Faranukai. Ndichakuwanirai munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri.” Naizvozvo akanyora matsamba muzita raAhabhu, akadhinda chidhindo chake padziri, akadzitumira kuvakuru nokumachinda aaigara nawo muguta raNabhoti. Mumatsamba aya akanyora akati: “Daidzirai zuva rokutsanya mugogadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu. Asi gadzai nhubu mbiri pakatarisana naye uye mugoita kuti dzipupure dzichiti akatuka Mwari namambo. Ipapo mutorei muende naye kunze mugomutaka namabwe kusvikira afa.” Saka vakuru namachinda vaigara muguta raNabhoti vakaita sezvakanga zvarayirwa naJezebheri mumatsamba aakanga avanyorera. Vakadaidzira zuva rokutsanya ndokugadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu. Ipapo nhubu mbiri dzakauya dzikagara dzakatarisana naye dzikapomera Nabhoti mhosva pamberi pavanhu, dzichiti, “Nabhoti akatuka Mwari namambo.” Naizvozvo vakamutora vakaenda naye kunze kweguta vakamutaka namabwe kusvikira afa. Ipapo vakatumira shoko kuna Jezebheri vachiti, “Nabhoti atakwa namabwe uye afa.” Jezebheri paakangonzwa chete kuti Nabhoti akanga atakwa namabwe akafa, akati kuna Ahabhu, “Simukai muende mundotora munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri waakaramba kukutengeserai. Haachisiri mupenyu, asi afa.” Ahabhu paakanzwa kuti Nabhoti akanga afa, akasimuka akaenda kundotora munda wemizambiringa waNabhoti. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi richiti, “Buruka pasi undosangana naAhabhu mambo weIsraeri, uyo ari kutonga muSamaria. Iye zvino ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, waaenda kundotora. Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Hauna here kuuraya munhu ukamutorera zvinhu zvake?’ Ipapo uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Panzvimbo yakananzvwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzva ropa rakowo ipapo, hongu, rako!’ ” Ahabhu akati kuna Eria, “Saka wandiwanaka, muvengi wangu!” Akapindura akati, “Ndakuwana nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha. ‘Ndichauyisa dambudziko guru pamusoro pako. Ndichaparadza vana vako ndigouraya murume wose weimba yaAhabhu muIsraeri, muranda neasiri muranda. Ndichaita kuti imba yako ifanane neyaJerobhoamu mwanakomana waNebhati neyaBhaasha mwanakomana waAhija, nokuti waita kuti ndishatirwe uye waita kuti Israeri iite chivi.’ “Zvino kana ari Jezebheriwo, Jehovha anoti: ‘Imbwa dzichadya Jezebheri pamasvingo eJezireeri.’ “Imbwa dzichadya avo vaAhabhu vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira musango.” Hapana kumbova nomunhu akaita saAhabhu, akazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naJezebheri mukadzi wake. Akaita zvinonyangadza kwazvo nokutevera zvifananidzo, sezvakanga zvaitwa navaAmori, avo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. Ahabhu paakanzwa mashoko aya, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akatsanya. Akapfeka masaga akafamba achizvininipisa. Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Eria muTishibhi richiti, “Waona here kuti Ahabhu azvininipisa sei pamberi pangu? Nokuti azvininipisa, handichauyisa dambudziko guru iri mumazuva ake, asi ndichariuyisa paimba yake mumazuva omwanakomana wake.” Kwamakore matatu pakati peAramu neIsraeri pakanga pasina hondo. Asi mugore rechitatu, Jehoshafati mambo weJudha akaburuka zasi kundoona mambo weIsraeri. Mambo weIsraeri akanga ati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti Ramoti Gireadhi ndeyedu asi hapana chatiri kuita kuti tiitore zvakare kubva kuna mambo weAramu?” Uye akakumbira Jehoshafati akati, “Uchaenda neni here kundorwa neRamoti Gireadhi?” Jehoshafati akapindura mambo weIsraeri achiti, “Ini ndakangofanana newe, vanhu vangu vakafanana nevako, mabhiza angu samabhiza ako.” Asi Jehoshafati akatiwo kuna mambo weIsraeri, “Tanga watsvaga zvinorayirwa naJehovha.” Saka mambo weIsraeri akaunganidza pamwe chete, vaprofita, vangangoita varume mazana mana, akavabvunza akati, “Ndoenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti ndoregera?” Vakapindura vakati, “Endai nokuti Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.” Asi Jehoshafati akabvunza achiti, “Hapana here mumwe muprofita waJehovha pano watingabvunza?” Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watinogona kubvunza Jehovha naye, asi ndinomuvenga nokuti haamboprofiti chinhu chakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa nguva dzose. NdiMikaya, mwanakomana waImura.” Jehoshafati akapindura akati, “Mambo haafaniri kutaura kudaro.” Saka mambo weIsraeri akadana mumwe wavaranda vake akati, “Uyisa Mikaya mwanakomana waImura izvozvi.” Mambo weIsraeri naJehoshafati, mambo weJudha, vakanga vakagara pazvigaro zvavo vakapfeka nguo dzavo dzoumambo vari paburiro, pedyo nesuo reSamaria, vaprofita vose vachiprofita pamberi pavo. Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Nedzidzi muchatunga vaAramu kusvikira vaparara!’ ” Vamwe vaprofita vose vakanga vachiprofita zvimwe chetezvo. Vakati, “Rwisai Ramoti Gireadhi mukunde, nokuti Jehovha achariisa muruoko rwamambo.” Nhume yakanga yaenda kundodana Mikaya yakati kwaari, “Tarirai, somunhu mumwe chete, vamwe vaprofita vari kutaura kuti mambo vachabudirira. Shoko renyu ngaribvumirane neravo, uye mutaurewo zvakanaka.” Asi Mikaya akati, “NaJehovha mupenyu, ndinogona chete kumuudza zvandinoudzwa naJehovha.” Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, toenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti torega?” Akapindura akati, “Rwisai mukunde nokuti Jehovha achariisa muruoko rwamambo.” Mambo akati kwaari, “Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze chokwadi pasina chimwe chinhu muzita raJehovha?” Ipapo Mikaya akapindura akati, “Ndakaona Israeri yose yakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi, uye Jehovha akati, ‘Vanhu ava havana tenzi. Mumwe nomumwe wavo ngaaende kumba norugare.’ ” Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudza here kuti haamboprofiti chinhu chakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete?” Mikaya akaenderera mberi akati, “Naizvozvo chinzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha akagara pachigaro chake choushe, navamwe vose vokudenga vakamira vakamupoteredza kurudyi nokuruboshwe kwake. Zvino Jehovha akati, ‘Ndiani achaenda kundokwezva Ahabhu kuti arwise Ramoti Gireadhi agoenda kundofira ikoko?’ “Mumwe akataura izvi, mumwe akataura izvo. Pakupedzisira, mumwe mweya wakauya ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ndichandomukwezva ini.’ “Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi?’ “Iwo wakati, ‘Ndichaenda ndonova mweya unoreva nhema mumiromo yavaprofita vake vose.’ “Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda undozviita.’ “Saka iye zvino Jehovha aisa mweya unoreva nhema mumiromo yavaprofita venyu vose ava. Jehovha atema kuti muchawira mudambudziko guru kwazvo.” Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaana akaenda kwaari akarova Mikaya nembama. Akamubvunza achiti, “Mweya waJehovha wakafamba nenzira ipiko uchibva kwandiri kuti uzotaura kwauri?” Mikaya akapindura akati, “Uchazviziva musi wauchaenda kundohwanda muimba yomukati.” Ipapo mambo weIsraeri akarayira akati, “Torai Mikaya mumudzosere kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo muti, ‘Zvanzi namambo: Isai munhu uyu mutorongo murege kumupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka norugare.’ ” Mikaya akati, “Kana zvikaitika kuti madzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni.” Ipapo akatizve, “Inzwai mashoko angu imi vanhu mose!” Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakaenda kuRamoti Gireadhi. Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichapinda muhondo iyi ndichinge mumwe munhu, asi iwe pfeka mbatya dzako dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazviita somumwe munhu akaenda kundorwa. Zvino mambo weAramu akanga arayira vatungamiri vake vengoro makumi matatu navaviri achiti, “Musarwa nomunhu upi zvake, muduku kana mukuru, kunze kwamambo weIsraeri.” Vatungamiri vengoro pavakaona Jehoshafati, vakafunga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye mambo weIsraeri.” Naizvozvo vakatendeuka kuti vamurwise, asi Jehoshafati paakaridza mhere, vatungamiri vengoro vakaona kuti akanga asiriye mambo weIsraeri ndokubva varega kumutevera. Asi mumwe murume akapfura museve wake chipfurepfure akabva abaya mambo weIsraeri paisangana zvipenga zvembatya dzake dzehondo. Mambo akati kumuchairi wengoro yake, “Tendeutsa ngoro undibvise pano pari kurwiwa. Ndakuvadzwa.” Hondo yakarwiwa zuva rose, uye mambo akaita zvokutsigirwa mungoro yake akatarisa vaAramu. Ropa rakabva paronda rake rakaerera rikaenda mukati mengoro, uye manheru iwayo akabva afa. Zuva parakanga rava kuvira, kwakadaidzirwa kuhondo yose kuti, “Munhu wose kuguta rake; munhu wose kunyika yake!” Naizvozvo mambo akafa, uye akauyiswa kuSamaria, akavigwa ikoko. Vakasuka ngoro padziva reSamaria (panova ndipo paishambira zvifeve), imbwa dzikananzva ropa rake, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaAhabhu, zvichisanganisira zvose zvaakaita, muzinda waakavaka nenyanga dzenzou, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? Ahabhu akazorora namadzibaba ake. Ipapo Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Jehoshafati mwanakomana waAsa akava mambo weJudha mugore rechina raAhabhu, mambo weIsraeri. Jehoshafati akanga ane makore makumi matatu namashanu okuberekwa paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namashanu. Zita ramai vake raiva Azubha, mwanasikana waShirihi. Pazvinhu zvose akafamba munzira dzababa vake Asa uye haana kurasika achibva padziri; akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha. Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa, uye vanhu vakaramba vachipa zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko. Jehoshafati akanga ane rugarewo namambo weIsraeri. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaJehoshafati, zvinhu zvaakaita nehondo dzaakarwa, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha? Akabvisa panyika zvifeve zvavarume zvakanga zvasara kunyange mushure menguva yokutonga kwababa vake Asa. Panguva iyoyo muEdhomu makanga musina mambo; maitongwa nejinda. Zvino Jehoshafati akavaka chitsama chezvikepe chokutakurisa zvinhu zvokutengesa kuti zviende kuOfiri kundotora goridhe, asi hazvina kuenda nokuti zvakaparara paEzioni Gebheri. Panguva iyoyo Ahazia mwanakomana waAhabhu akati kuna Jehoshafati, “Regai varanda vangu vaende navaranda venyu nezvikepe zvenyu.” Asi Jehoshafati akaramba. Ipapo Jehoshafati akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pavakavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Ipapo Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Ahazia mwanakomana waAhabhu akava mambo weIsraeri muSamaria mugore regumi namanomwe raJehoshafati mambo weJudha, uye akatonga Israeri kwamakore maviri. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha nokuti akafamba munzira dzababa namai vake nomunzira dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, akaita kuti Israeri iite chivi. Akashandira uye akanamata Bhaari, akaita kuti Jehovha, Mwari weIsraeri atsamwe, sezvakanga zvaitwa nababa vake. Mushure mokufa kwaAhabhu, vaMoabhu vakamukira Israeri. Zvino Ahazia akanga awira pasi napawindo rekamuri reimba yake yapamusoro kuSamaria akakuvara. Saka akatuma nhume akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi, kuti aone kana ndichizopora pakukuvara uku.” Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Kwira kumusoro undosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvamunondobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi?’ Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Hauchabva pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!’ ” Naizvozvo Eria akaenda. Nhume dzakati dzadzokera kuna mambo, akavabvunza akati, “Madzokereiko?” Ivo vakamupindura vakati, “Mumwe murume akauya akasangana nesu. Zvino akati kwatiri, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mundoti kwaari,’ Zvanzi, naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvaunotuma nhume kundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi? Naizvozvo hauchaburuki pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!’ ” Mambo akavabvunza akati, “Ko, murume akauya akasangana nemi akakutaurirai izvi akanga akadini?” Ivo vakapindura vakati, “Akanga ari murume akapfeka nguo dzine mvere nebhanire reganda muchiuno chake.” Mambo akati, “NdiEria muTishibhi.” Ipapo akatuma mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake kuna Eria. Mukuru uyu akaenda kuna Eria akanga akagara pamusoro pechikomo, ndokuti kwaari, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai!’ ” Eria akamupindura akati, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke uchibva kudenga ukuparadze iwe navanhu vako makumi mashanu!” Ipapo moto wakaburuka uchibva kudenga ukamuparadza iye navanhu vake. Zvadaro mambo akazotumazve mumwe mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake makumi mashanu! Mukuru uyu akati kuna Eria, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai izvozvi!’ ” Eria akati kwaari, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke uchibva kudenga ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu.” Ipapo moto waMwari wakaburuka uchibva kudenga ukamuparadza iye navanhu vake makumi mashanu. Saka mambo akatumazve mumwe mukuru wechitatu ana varume makumi mashanu. Uyu mukuru wechitatu akakwira akazviwisira pasi namabvi ake pamberi paEria. Akamukumbira akati, “Haiwa, munhu waMwari, ndapota, upenyu hwangu nohwavarume ava makumi mashanu, isu varanda venyu, ngahuve hunokosha pamberi penyu. Tarirai moto wakabva kudenga ukaparadza vakuru vaviri vokutanga navanhu vavo vose. Asi zvino upenyu hwangu ngahuve chinhu chinokosha pamberi penyu.” Zvino mutumwa waJehovha akati kuna Eria, “Buruka pamwe chete naye; usamutya.” Naizvozvo Eria akasimuka akaenda naye kuna mambo. Akaudza mambo kuti, “Zvanzi naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvawatuma nhume kundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi? Nokuti waita izvi, hauchambobva pamubhedha pawakarara. Zvirokwazvo uchafa!” Naizvozvo akafa, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria. Nokuti Ahazia akanga asina mwanakomana, Joramu akazomutevera paushe pagore rechipiri raJehoramu, mwanakomana waJehoshafati, mambo weJudha. Zvino, mabasa akaitwa pamazuva okutonga kwaAhazia, nezvaakaita iye hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jehovha paakanga ava kuda kutora Eria nechinyamupupuri kuti amuendese kudenga, Eria naErisha vakanga vari munzira vachibva kuGirigari. Eria akati kuna Erisha, “Gara pano, nokuti Jehovha andituma kuBheteri.” Asi Erisha akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakadzika kuBheteri. Boka ravaprofita vapaBheteri rakauya kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Erisha akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.” Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano, Erisha; nokuti Jehovha andituma kuJeriko.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakaenda kuJeriko. Boka ravaprofita vapaJeriko rakakwira kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Iye akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.” Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano; nokuti Jehovha andituma kuJorodhani.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handikusiyei. Saka vakafamba vose vari vaviri. Boka ravaprofita, ravarume makumi mashanu, rakaenda rikandomira nechokure, vakatarisana napanzvimbo pakanga pamire Eria naErisha paJorodhani. Eria akatora jasi rake akaripeta akarova mvura naro, mvura ikaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, ivo vaviri vakayambuka napakaoma. Vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, “Nditaurire, unoda kuti ndikuitirei ndisati ndatorwa kubva kwauri?” Erisha akapindura akati “Ndipei migove miviri yomweya wenyu.” Eria akati, “Wakumbira chinhu chakaoma, asi kana ukandiona ndichitorwa kubva kwauri, uchaupiwa, asi kana zvisina kudaro, haungaupiwi. Zvino pavakanga vachifamba, vachitaurirana, pakarepo ngoro yomoto namabhiza omoto zvakaonekwa zvikaparadzanisa vaviri ava, Eria akaenda kudenga muchinyamupupuri. Uye Erisha akazviona akadanidzira nenzwi guru akati, “Baba vangu! Baba vangu! Ngoro navarume vamabhiza veIsraeri!” Zvino Erisha haana kuzomuonazve. Ipapo akabata nguo dzake akadzibvarura napakati. Akanonga jasi rakanga rawira pasi, richibva kuna Eria akadzokera kundomira pamahombekombe eJorodhani. Ipapo akatora jasi raEria rakanga rawa kubva paari akarova mvura naro akati, “Zvino Jehovha Mwari waEria aripiko?” Paakarova mvura, yakaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, iye ndokubva ayambuka achienda mhiri. Boka ravaprofita vapaJeriko, avo vakanga vakatarisa, vakati, “Mweya waEria wagara pamusoro paErisha.” Uye vakaenda kundosangana naye vakakotamira pasi pamberi pake. Vakati, “Tarirai, isu varanda venyu tine varume vesimba makumi mashanu. Ngavaende vandotsvaka tenzi wenyu. Zvimwe Mweya waJehovha wamusimudza ukandomugarisa pamusoro perimwe gomo kana mune mumwe mupata.” Erisha akavapindura akati, “Kwete, musavatuma.” Asi vakaramba vachimugombedzera kusvikira anyara kwazvo kuti avarambidze. Saka akati, “Vatumei henyu.” Saka vakatuma varume makumi mashanu vakandomutsvaka kwamazuva matatu asi havana kumuwana. Pavakadzokera kuna Erisha, kwaaigara muJeriko, akati kwavari, “Handina kukuudzai here kuti musaenda?” Varume vomuguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, tenzi wedu, guta iri riri pakanaka, asi sezvamunoona henyu, mvura yacho yakaipa uye nyika yacho haina zvibereko.” Iye akati, “Ndivigirei ndiro itsva uye muise munyu mairi.” Naizvozvo vakamuvigira ndiro yacho. Ipapo akaenda kuchitubu akakanda munyu imomo achiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichazokonzeri rufuzve kana kushayisa nyika zvibereko.’ ” Saka mvura yakaramba yakanaka kusvikira nhasi sezvakanga zvarehwa neshoko rakataurwa naErisha. Achibva ipapo, Erisha akaenda kuBheteri. Paakanga achifamba mumugwagwa, vamwe vechidiki vakabuda muguta vakamusveeredza, vakati kwaari, “Kwira, iwe nyamhanza!” Akacheuka, akavatarisa uye akadana chituko pamusoro pavo muzita raJehovha. Ipapo maperekadzi akabuda musango akaparadza vechidiki vana makumi mana navaviri. Uye akaenda muGomo reKarimeri, uye achibva ikoko akadzokera kuSamaria. Joramu, mwanakomana waAhabhu akava mambo weIsraeri muSamaria mugore regumi namasere raJehoshafati mambo weJudha, uye akatonga kwamakore gumi namaviri. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita sezvakaita baba vake namai vake. Akabvisa dombo rinoera raBhaari rakanga raitwa nababa vake. Kunyange zvakadaro, akanamatira kuzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite, iye haana kubva kwazviri. Zvino Mesha mambo weMoabhu aipfuwa makwai, uye aifanira kupa mambo weIsraeri makwayana anokwana zviuru zana namakushe amakondohwe anokwana zviuru zana. Asi mushure mokufa kwaAhabhu, mambo weMoabhu akamukira mambo weIsraeri. Saka panguva iyoyo, Mambo Jehoramu akabva kuSamaria akaunganidza vaIsraeri vose. Iye akatumirawo shoko kuna Jehoshafati mambo weJudha achiti, “Mambo weMoabhu andimukira. Ungada kuenda neni kundorwa neMoabhu here?” Iye akapindura akati, “Ndichaenda newe. Ini ndakangoita sewe, navanhu vangu sevakowo, mabhiza angu samabhiza ako.” Akamubvunza akati, “Tichandovavamba nenzira ipi?” Iye akapindura akati, “NomuRenje reEdhomu.” Saka mambo weIsraeri akaenda namambo weJudha pamwe chete namambo weEdhomu. Mushure mokufamba vachipoterera kwamazuva manomwe, varwi vakapererwa nemvura yavo, neyezvipfuwo zvavaiva nazvo. Mambo weIsraeri akati, “Haiwa! Heya Jehovha atidaidza isu madzimambo matatu pamwe chete kungozotipa hake kuvaMoabhu?” Asi Jehoshafati akamubvunza akati, “Hapana muprofita waJehovha here pano, kuti tibvunze Jehovha nokwaari?” Muranda wamambo weIsraeri akati, “Pana Erisha mwanakomana waShafati. Aisimbosuridzira mvura pamaoko aEria.” Jehoshafati akati, “Shoko raJehovha riri paari.” Saka mambo weIsraeri naJehoshafati namambo weEdhomu vakaburuka vakaenda kwaari. Erisha akati kuna mambo weIsraeri, “Chiiko chandingaita nemi? Endai kuvaprofita vababa venyu navaprofita vamai venyu.” Mambo weIsraeri akapindura akati, “Kwete, nokuti ndiJehovha akatidaidza isu madzimambo matatu tose kuti azotipa kuvaMoabhu.” Erisha akati, “Zvirokwazvo naJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshumira, dai ndanga ndisingaremekedzi Jehoshafati mambo weJudha vari pano, handaimbokutarisai kana kukuonai. Asi zvino uyai nomuridzi worudimbwa kwandiri.” Muridzi worudimbwa paakanga achiridza, ruoko rwaJehovha rwakauya pamusoro paErisha, akati, “Zvanzi naJehovha: Itai kuti mupata uyu uzare namakoronga. Nokuti zvanzi naJehovha: Hamusi kuzoona mhepo kana mvura, kunyange zvakadaro, mupata uyu uchazadzwa nemvura, uye imi, nemombe dzenyu nedzimwe mhuka dzenyu muchanwamo. Chinhu ichi chakareruka pamberi paJehovha; achaisawo Moabhu kwamuri. Muchaparadza guta rimwe nerimwe rakakomberedzwa norusvingo uye namaguta ose makuru. Muchatemera pasi muti mumwe nomumwe wakanaka, mugotsindira matsime ose, uye muchakanganisa namabwe munda mumwe nomumwe wakanaka.” Chifumi chamangwana, nenguva dzinenge dzokupa chibayiro, tarirai, mvura yakayerera ichibva kwakadziva kuEdhomu! Uye nyika yakazara nemvura. Zvino vaMoabhu vose vakanga vanzwa kuti madzimambo akanga auya kuzorwa navo; saka murume mumwe nomumwe, mudiki nomukuru, aigona kutakura zvombo akadaidzwa uye vakandogariswa kumuganhu. Vakati vachimuka mangwanani vakaona zuva richipenya pamusoro pemvura. KuvaMoabhu vaiva kuno rumwe rutivi, mvura yakanga yakatsvuka seropa. Vakati, “Iropa iro! Madzimambo ayo anenge arwa akaurayana. Zvino imi vaMoabhu endai munopamba!” Asi vaMoabhu vakati vasvika kumusasa weIsraeri, vaIsraeri vakavarwisa kusvikira vatiza. Ipapo vaIsraeri vakapinda munyika vakauraya vaMoabhu. Vakaparadza maguta, uye murume mumwe nomumwe akapotsera mabwe pamunda woga woga wakanaka kusvikira wafukidzwa namabwe. Vakatsindira matsime ose uye vakatema muti wose wakanga wakanaka. Kirihareseti chete ndiro rakasiyiwa riine mabwe aro, asi varume vaiva nezvimviriri vakarikomba vakaritakawo. Mambo weMoabhu akati aona kuti akundwa, akatora varume mazana manomwe vaiva neminondo kuti varwise vaende kuna Mambo weEdhomu, asi vakakonewa. Ipapo akatora dangwe rake, aifanira kumutevera paushe, akamupa sechibayiro parusvingo rweguta. Vakatsamwira vaIsraeri zvikuru; uye ivo vakabva kwaari vakadzokera kunyika yavo. Zvino mukadzi womumwe murume weboka ravaprofita akadanidzira kuna Erisha akati, “Muranda wenyu, murume wangu, afa, uye munoziva kuti iye aitya Jehovha. Asi zvino uyo waakanga atorera chikwereti ari kuuya kuzotora vanakomana vangu vaviri kuti vave nhapwa dzake.” Erisha akamupindura akati, “Ndingakubatsira seiko? Nditaurire, chii chaunacho mumba mako?” Iye akati, “Murandakadzi wenyu haana kana chinhu kunze kwamafuta mashoma shoma.” Erisha akati kwaari, “Enda unokumbira vavakidzani vako vose vakupe midziyo isina chinhu. Usakumbira mishoma. Ipapo ugopinda mumba uzvipfigire mukova iwe navana vako. Udire mafuta mumidziyo yose, ugoisa parutivi mudziyo unenge wazara.” Naizvozvo akabva kwaari, akapfiga mukova iye navana vake vari mukati. Vakauya nemidziyo kwaari, iye akaramba achingodira. Midziyo yose yakati yazara, akati kumwanakomana wake, “Ndivigire mumwe mudziyo.” Asi iye akapindura akati, “Hapachina mumwe mudziyo wasara.” Ipapo mafuta akabva aguma. Akaenda kundoudza munhu waMwari uye iye akati, “Chienda unotengesa mafuta ugoripa zvikwereti zvako, iwe navanakomana vako mugorarama neanenge asara.” Rimwe zuva Erisha akaenda kuShunemi. Ikoko kwaiva nomukadzi akanga ari mupfumi, uye akamugombedzera kuti agare ambodya. Saka nguva dzose paaipfuura nepo, aimirapo odya. Mukadzi akati kumurume wake, “Ndinoziva kuti murume uyu anopfuura napano mutsvene waMwari. Ngativakei kamuri padenga tigomuisira mubhedha netafura, nechigaro uye nerambi imomo. Ipapo achakwanisa kugaramo paanenge angotishanyira.” Rimwe zuva Erisha akati asvika, akakwira kukamuri rake ndokurara imomo. Akati kumuranda wake Gehazi, “Dana mukadzi muShunemi.” Naizvozvo akamudana, uye akamira pamberi pake. Erisha akati kwaari, “Muudze kuti, ‘Makatitamburira imi pane zvose izvi, zvino mungaitirwewo chii?’ Tingakumiririrai kuna mambo here kana kumukuru wehondo?” Iye akapindura akati, “Ndine musha pakati pavanhu vokwangu.” Erisha akabvunza akati, “Angaitirwe chiiko?” Gehazi akati, “Zvirokwazvo, haana mwanakomana uye murume wake akwegura.” Ipapo Erisha akati, “Mudane.” Naizvozvo akamudana, mukadzi akamira pamukova. Erisha akati, “Nenguva inenge ino gore rinouya, uchafungatira mwanakomana mumaoko ako.” Iye akati, “Kwete, ishe wangu. Haiwa munhu waMwari, musarevera nhema murandakadzi wenyu!” Asi mukadzi akava nemimba, uye gore raitevera nenguva yakare iyoyo akapona mwanakomana, sezvaakanga audzwa naErisha. Mwana akati akura, nerimwe zuva akaenda kuna baba vake, kwavaiva navakohwi. Akati kuna baba vake, “Musoro wangu! Musoro wangu!” Baba vake vakataurira muranda vakati, “Mutakurei muende naye kuna mai vake.” Mushure mokunge muranda amusimudza, akaenda naye kuna mai vake, mukomana akagara pamakumbo amai vake kusvikira masikati, ndokubva afa. Vakakwira pamusoro naye vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, ndokupfiga mukova ndokubuda. Mukadzi akadana murume wake akati, “Ndapota, ndidanire mumwe wavaranda nembongoro kuti ndiende kumunhu waMwari nokukurumidza ndigodzoka.” Iye akamubvunza akati, “Uri kuendereiko kwaari nhasi? Hakusi Kugara kwoMwedzi kana Sabata.” Akapindura akati, “Hazvina mhosva.” Akaisa chigaro pamusoro pembongoro akati kumuranda wake, “Tungamira; usafamba zvishoma uchiitira ini kunze kwokunge ndakuudza.” Naizvozvo akaenda akasvika kumunhu waMwari paGomo reKarimeri. Akati achimuona achiri kure, munhu waMwari akati kumuranda wake Gehazi, “Tarisa! Hoyo mukadzi muShunemi! Mhanya undosangana naye ugomubvunza kuti, ‘Munofara mose here? Ko, murume wako anofara here? Ko, mwana wako anofara here?’ ” Mukadzi akati, “Zvose zvakanaka.” Paakasvika kumunhu waMwari paGomo, akabata makumbo ake. Gehazi akauya achiti amusundire kure, asi munhu waMwari akati, “Murege akadaro! Nokuti ane shungu dzinomutambudza, asi Jehovha akandivanzira chinhu ichi uye haana kundiudza kuti imhaka yei.” Mukadzi akati, “Ndakakukumbirai mwanakomana here, tenzi wangu? Ko, handina kukutaurirai kuti musandinyengedzera here?” Erisha akati kuna Gehazi, “Zvisunge chiuno ubate tsvimbo yangu muruoko rwako umhanye. Kana ukasangana naani zvake, usamukwazisa, uye ani naani anokukwazisa, iwe usapindura. Uradzike tsvimbo yangu pauso hwomukomana.” Asi mai vomwana vakati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, handisi kuzokusiyai.” Naizvozvo akasimuka akamutevera. Gehazi akatungamira mberi akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi hapana chakanzwika kana chakapfakanyika. Naizvozvo Gehazi akadzokera kuti andosangana naErisha akamuudza kuti, “Mukomana haana kumuka.” Erisha paakasvika pamba, akawana mukomana ari pamubhedha akafa. Akapinda mukati, akapfiga mukova iye nomwana vari vaviri, akanyengetera kuna Jehovha. Ipapo akakwira pamubhedha akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo womwana, nameso ake pameso omwana, uye maoko pamaoko ake. Paakatsivamira pamusoro pake, muviri womukomana wakatanga kudziya. Erisha akafuratira, achifamba-famba mukati mekamuri akadzokerazve pamubhedha akatsivamazve pamusoro pake. Mukomana akahotsira kanomwe kose ndokusvinura meso ake. Erisha akadana Gehazi akati kwaari, “Dana mukadzi muShunemi.” Iye akaita saizvozvo. Akati apinda, Erisha akati kwaari, “Tora mwanakomana wako.” Ipapo akapinda, akazviwisira patsoka dzake akakotamira pasi, akasimuka akatora mwanakomana wake akabuda. Erisha akadzokera kuGirigari uye maiva nenzara mudunhu imomo. Boka ravanakomana vavaprofita parakanga rigere pamberi pake, akati kumuranda wake, “Gadzai hari huru mubikire boka ravaprofita ava zvokudya.” Mumwe wavo akaenda kuminda kundotanha muriwo akawana magaka omusango. Akaunganidza mamwe acho akaazadza mujasi rake. Paakadzokera, akaatematema ndokuaisa muhari yomuriwo, kunyange zvazvo pakanga pasina aiziva kuti zvaiva zvii. Zvokudya zvakapakurirwa vanhu, asi pavakatanga kudya vakadanidzira vakati, “Nhai munhu waMwari, mune rufu muhari!” Uye vakatadza kuzvidya. Erisha akati, “Uyai noupfu.” Akahuisa muhari akati, “Ipai vanhu vadye.” Ipapo hapana kuzova nechinokuvadza muhari. Mumwe murume akauya achibva kuBhaari Sharisha achivigira munhu waMwari marofu makumi maviri echingwa chebhari chakanga chabikwa nezviyo zvakatanga kuibva, pamwe chete nehura dzezviyo zvitsva. Erisha akati, “Ipai vanhu vadye.” Muranda wake akati, “Ndingagovera izvi kuvanhu zana sei?” Asi Erisha akapindura akati, “Ipai vanhu vadye. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vachadya vakasiya zvimwe.’ ” Ipapo akavaisira pamberi pavo zvokudya, vakadya vakasiya zvimwe, sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha. Zvino Naamani, mukuru wehondo yamambo weAramu, aiva munhu mukuru kwazvo pamberi patenzi wake uye aikudzwa zvikuru, nokuti kubudikidza naye, Jehovha akapa mambo weAramu kukunda. Aiva murwi ane simba noumhare, asi aiva namaperembudzi. Zvino mauto eAramu akabuda kundorwa akadzoka ava nomusikana weIsraeri wavakanga vatapa, uye akashandira mukadzi waNaamani. Akati kuna tenzikadzi wake, “Dai tenzi wangu aiona muprofita ari muSamaria! Aizomuporesa pamaperembudzi ake.” Naamani akaenda kuna tenzi wake akamutaurira zvaakanga audzwa nomusikana akanga abva kuIsraeri.” Mambo weAramu akati, “Zvakanaka, enda hako. Ini ndichatumirawo tsamba kuna mambo weIsraeri.” Naizvozvo Naamani akaenda, akatora matarenda gumia esirivha nezviuru zvitanhatu zvamashekerib egoridhe uye nemhando gumi dzenguo. Tsamba yaakaenda nayo kuna mambo weIsraeri yaiti: “Ndatuma muranda wangu Naamani netsamba iyi kuti umurape maperembudzi ake.” Mambo weIsraeri akati achangopedza kuverenga tsamba iyi, akabvarura nguo dzake akati, “Ndini Mwari here? Ndinogona kuuraya nokuraramisa here? Sei murume uyu atuma munhu kwandiri kuti azorapwa maperembudzi ake. Onai kuti anoedza sei kutsvaka bopoto neni!” Erisha munhu waMwari, akati anzwa kuti mambo weIsraeri abvarura nguo dzake, akamutumira shoko akati, “Mabvarurireiko nguo dzenyu? Regai murume uyo auye kwandiri uye achaziva kuti muIsraeri mune muprofita.” Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro akandomira pamukova weimba yaErisha. Erisha akatuma nhume yake kwaari achiti, “Enda unoshamba kanomwe muJorodhani, ipapo nyama yako ichadzoredzerwa pakare uye uchava wakanatswa.” Asi Naamani akabvapo atsamwa akati, “Ndanga ndichifunga kuti zvirokwazvo achauya kwandiri agomira achidana kuzita raJehovha Mwari wake, agoninira ruoko rwake panzvimbo yacho agondiporesa maperembudzi. Ko, Abhana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzisi nani kupinda mvura yose yeIsraeri here? Handaigona kushamba madziri ndikanatswa here?” Naizvozvo akabvapo akaenda akatsamwa kwazvo. Varanda vaNaamani vakaenda kwaari vakati, “Nhai baba, dai muprofita anga akuudzai kuti muite chinhu chikuru, hamaizochiita here? Zvino zvaati kwamuri, ‘Shambai mugonatswa!’ ” Saka akaburuka akandozvinyudza muna Jorodhani kanomwe, sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, nyama yake ikadzoredzerwa pakare ikava yakachena, seyomwana mucheche. Ipapo Naamani akadzokera neboka rake rose kumunhu waMwari. Akamira pamberi pake akati, “Zvino ndava kuziva kuti hakuna Mwari panyika yose kunze kwomunyika yeIsraeri. Ndapota, gamuchirai chipo chabva kumuranda wenyu.” Asi muprofita akati, “Zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, iye wandinoshumira, handisi kuzogamuchira chinhu.” Kunyange zvazvo Naamani akamugombedzera, iye akaramba. Naamani akati, “Ndapota, kana musingadi, muranda wenyu ngaapiwe hake ivhu ringatakurwa namahesera maviri, nokuti muranda wenyu haachambofazve akaita chipiriso chinopiswa nechibayiro kuna vamwe vamwari vapi zvavo asi kuna Jehovha. Asi Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pachinhu chimwe chete ichi: Vatenzi vangu pavanopinda mutemberi yaRimoni kundonamatamo pasi, uye vakasendamira paruoko rwangu, neni ndikakotama ndirimowo, pandinokotama mutemberi yaRimoni, Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pachinhu ichi.” Erisha akati, “Enda hako norugare.” Mushure mokunge Naamani afamba kwechinhambo, Gehazi muranda waErisha munhu waMwari, akati mumwoyo make, “Tenzi wangu arerutsira zvakanyanya Naamani, muAramu uyu, pakusagamuchira kubva kwaari zvaanga auya nazvo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, ndichamhanya ndimutevere ndigotora chimwe chinhu kwaari.” Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani akati amuona achimumhanyira, akaburuka mungoro kuti andosangana naye. Akati kwaari, “Kwakanaka here?” Gehazi akapindura akati, “Kwakanaka. Tenzi wangu andituma achiti, ‘Pane majaya maviri abva kuboka ravaprofita achangosvika kwandiri achibva kunyika yamakomo yaEfuremu. Ndapota, muvape henyu tarenda resirivhac nemhando mbiri dzenguo.’ ” Naamani akati, “Torai henyu matarenda maviri.” Akagombedzera Gehazi kuti azvigamuchire, ndokubva asungira matarenda maviri esirivha mumasaga maviri, nemhando mbiri dzenguo. Akazvipa kuvaranda vake vaviri, vakazvitakura vari mberi kwaGehazi. Gehazi akati asvika pachikomo, akatora zvinhu kubva kuvaranda akazviisa mumba make. Akadzosa varume vaya ivo ndokuenda havo. Ipapo akapinda akandomira pamberi paErisha tenzi wake. Erisha akamubvunza akati, “Wanga uripiko Gehazi?” Gehazi akapindura akati, “Muranda wenyu haana kwaamboenda.” Asi Erisha akati kwaari, “Mweya wangu wanga usinewe here paburuka murume mungoro yake kuti azosangana newe? Ko, ino inguva yokutora mari kana kugamuchira nguo, neminda yemiorivhi, neyemizambiringa, namakwai, nemombe, kana varandarume navarandakadzi here? Naizvozvo maperembudzi aNaamani achanamatira pauri iwe navana vako nokusingaperi.” Ipapo Gehazi akabva pamberi paErisha ava namaperembudzi, achena sechando. Zvino boka ravaprofita rakati kuna Erisha, “Tarisai, nzvimbo yatinosangana nemi yatiitira diki kwazvo. Ngatiendei kuJorodhani, mumwe nomumwe wedu andotora danda ikoko; uye tigozvivakira ikoko nzvimbo yokugara.” Iye akati, “Endai.” Ipapo mumwe wavo akati, “Ndapota, ko, imi hamungaendiwo navaranda venyu here?” Erisha akati, “Ndinoenda.” Naizvozvo akaenda navo. Vakaenda kuJorodhani vakatanga kutema miti. Asi mumwe akati achiri kutema muti, musoro wedemo wakasvotoka ukawira mumvura. Akadanidzira akati, “Haiwa, ishe wangu, rakanga rakweretwa!” Munhu waMwari akati, “Rawira napapi?” Akati amuratidza nzvimbo yacho, Erisha akatema rutanda akarukandirapo, uye akapapamadza musoro wedemo. Akati, “Ribudise.” Ipapo murume akatambanudza ruoko rwake akaritora. Zvino mambo weAramu akanga achirwa neIsraeri. Mushure mokutaurirana navaranda vake, akati, “Ndichadzika musasa wangu panzvimbo yokuti neyokuti.” Munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo weIsraeri achiti, “Chenjerai kuti murege kupfuura napanzvimbo iyo nokuti vaAramu vari kuburukirako.” Naizvozvo mambo weIsraeri akatumira vanhu kunzvimbo iyoyo yaakanga aratidzwa nomunhu waMwari, kuti vandoiongorora. Nguva nenguva Erisha aiyambira mambo, kuti achenjerere nzvimbo dzakadaro. Izvi zvakatsamwisa mambo weAramu. Akadana vabati vake akati kwavari, “Hamungandiudzewo here kuti pakati pedu ari kurutivi rwamambo weIsraeri ndiani?” Mumwe wavabati vake akati, “Pakati pedu hapana, ishe wangu mambo, asi Erisha, muprofita ari muIsraeri ndiye anoudza mambo weIsraeri mashoko chaiwoiwo amunotaura muimba yenyu yokurara.” Mambo akati, “Endai munotsvaka kuti ari kupi, kuitira kuti ndigotuma varume vanomubata.” Akaziviswa kuti, “Ari muDhotani.” Ipapo akatumira ikoko mabhiza nengoro namauto akasimba. Vakaenda usiku vakakomba guta. Muranda womunhu waMwari akati amuka mangwanani aitevera, akabuda panze akaona hondo namabhiza nengoro zvakomba guta. Muranda wake akati, “Haiwa ishe wangu, tichaita seiko?” Muprofita akapindura akati, “Usatya. Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.” Ipapo Erisha akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso omuranda, iye ndokutarisa akaona zvikomo zvakazara namabhiza nengoro dzomoto zvakakomba Erisha. Vavengi pavakaburuka kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha akati, “Pofumadzai vanhu ava.” Naizvozvo akavapofumadza sezvakanga zvakumbirwa naErisha. Erisha akati kwavari, “Iyi handiyo nzira uye iri harizi iro guta. Nditeverei, ndichakutungamirirai kumunhu wamuri kutsvaka.” Uye akavatungamirira kuSamaria. Mushure mokupinda kwavo muguta, Erisha akati, “Jehovha, svinudzai meso avarume ava kuti vaone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso avo vakatarira, onei, vava muSamaria. Mambo weIsraeri akati achivaona, akabvunza Erisha akati, “Ndivauraye here, baba vangu? Ndovauraya here?” Akamupindura akati, “Musavauraya. Hamungazouraya vanhu vamunenge makatapa nomunondo wenyu kana uta hwenyu here? Vaisirei zvokudya nemvura pamberi pavo kuti vadye uye vanwe vagodzokera kuna tenzi wavo.” Naizvozvo akavagadzirira mabiko makuru, uye vakati vapedza kudya nokunwa akavaendesa, ivo vakadzokera kuna tenzi wavo. Naizvozvo mapoka avapambi vokuAramu akarega zvokupamba nyika yeIsraeri. Shure kwenguva, Bheni-hadhadhi mambo weAramu, akaunganidza hondo yake yose akaenda kundokomba Samaria. Kwakava nenzara huru muguta zvokuti musoro wembongoro waitengeswa mashekeri makumi maserea esirivha, uye chitswandab chamatoto enjiva chaitengeswa namashekeri mashanuc; nokuti nguva yokukombwa yakanga yarebesa. Mambo weIsraeri akati achipfuura naparusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari akati, “Ndibatsireiwo, ishe wangu namambo!” Mambo akamupindura akati, “Kana Jehovha asingakubatsiri ini ndingakuwanira rubatsiro kupi? Kubva paburiro here? Kubva pachisviniro chewaini here? Ipapo akamubvunza akati, “Zvaita sei?” Iye akamupindura akati, “Mukadzi uyu akati kwandiri, ‘Tipe mwanakomana wako kuti timudye nhasi, mangwana tigozodya wangu.’ Naizvozvo takabika mwana wangu tikamudya. Fume mangwana, ini ndokuti kwaari, ‘Tipe mwanakomana wako kuti timudye,’ asi iye akanga andomuviga.” Zvino mambo akanzwa mashoko omukadzi uyu, akabvarura nguo dzake. Akati achifamba naparusvingo, vanhu vakamutarisa, vakaona kuti akanga akapfeka masaga mukati menguo, pamuviri wake. Akati, “Mwari ngaandirove zvakanyanya kwazvo, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri pamapfudzi ake nhasi!” Zvino Erisha akanga akagara mumba make, uye vakuru vakanga vagere naye. Mambo akatuma nhume mberi, asi asati asvika, Erisha akati kuvakuru, “Hamuoni here iyi mhondi iri kutumira munhu kuzodimura musoro wangu? Tarirai, kana nhume yasvika, mupfige mukova uye muutsigire kuti asapinda. Ko, hausi mutsindo wetsoka dzatenzi wake mushure make here?” Akati achiri kutaurirana navo, nhumwa yakasvika kwaari. Mambo akati, “Dambudziko iri rinobva kuna Jehovha. Ndichagoramba ndakamirira Jehovha nemhaka yeiko?” Asi Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naJehovha: Nenguva yakaita seino mangwana, seyaa roupfu hwakatsetseka richatengeswa neshekeri rimweb uye maseya maviric ebhari neshekeri pasuo reSamaria.” Ipapo mukuru anova aiva ndiye ane ruoko rwakanga rwakasendamirwa namambo, akati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Jehovha akazarura mawindo amatenga, kuti zvakadai zvingaitika?” Erisha akapindura akati, “Uchazviona iwe nameso ako asi hauna chimwe chazvo chauchadya!” Zvino kwakanga kuna varume vana vaiva namaperembudzi pamukova wesuo reguta. Vakawirirana vakati, “Tichagarireiko pano kusvikira tafa? Kana tikati, ‘Tichaenda muguta,’ nzara irimo uye tichafa. Uye kana tikagara pano, tichafa. Naizvozvo ngatiendei kumusasa wavaAramu tinozvipira hedu. Kana vakatirega tiri vapenyu, tararama, kana vakatiuraya, tafa hedu.” Naizvozvo vakasimuka mambakwedza vakaenda kumusasa wavaAramu. Vakati vasvika pamucheto womusasa, wanei hakuna kana munhu, nokuti Jehovha akanga aita kuti vaAramu vanzwe kutinhira kwengoro namabhiza uye nokwehondo huru, naizvozvo, vakataurirana vachiti, “Tarirai mambo weIsraeri akakoka vaHiti namadzimambo avaIjipita kuti vazotirwisa!” Naizvozvo vakasimuka mambakwedza vakatiza, vakasiya matende avo namabhiza avo nembongoro. Vakasiya musasa wakangodaro vakatiza kuti vaponese upenyu hwavo. Varume vaiva namaperembudzi vakapinda kumucheto kwomusasa ndokupinda mune rimwe tende. Vakadya uye vakanwa, uye vakatakura sirivha, negoridhe nenguo vakabvapo vakandozviviga. Vakadzokazve vakapinda mune rimwe tende vakatora zvimwe zvinhu mariri vakandozvivigazve. Ipapo vakataurirana vakati, “Hatisi kuita chinhu chakanaka. Rino izuva ramashoko akanaka asi isu takangonyarara hedu. Kana tikamira kusvika kwaedza, ticharangwa. Handei izvozvi tinozivisa zvinhu izvi kumuzinda wamambo.” Saka vakaenda vakadanidzira kuvarindi vesuo reguta vakati kwavari, “Takaenda kumusasa wavaAramu tikasawana kana munhumo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza nembongoro zvakasungirirwa uye matende akangosiyiwa akadaro.” Varindi vesuo vakadaidzira mashoko aya zvikaziviswa mukati momuzinda. Mambo akamuka usiku akati kuvabati vake, “Ndichakuudzai zvataitirwa navaAramu. Ivo vanoziva kuti tine nzara; saka vasiya musasa vakandovanda muminda, vachifunga kuti ‘Zvirokwazvo kana vakabuda kunze ipapo isu tichavabata vari vapenyu tigopinda muguta.’ ” Mumwe wavabati vake akapindura akati, “Vamwe varume ngavatore mabhiza mashanu akasiyiwa muguta. Zvakaitika kwavari zvichafanana nezvichaitika kuvaIsraeri vose vasara muno, hongu vachava chete savaIsraeri vose ava vachaparara. Naizvozvo ngativatumei kuti vandoona kuti chii chakaitika.” Saka vakatsaura ngoro mbiri namabhiza adzo, mambo akavatuma kuti vatevere hondo yavaAramu. Akarayira vachairi akati, “Endai mundoona kuti chii chakaitika.” Vakavatevera kusvikira paJorodhani, vakawana nzira yose izere nguo nenhumbi dzakanga dzakaraswa navaAramu pakutiza kwavo. Saka nhumwa dzakadzoka dzikaudza mambo izvozvo. Ipapo vanhu vakabuda vakandopamba musasa wavaAramu. Saka chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe chete uye zviyero zviviri zvebhari zvakatengeswawo neshekeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Zvino mambo akanga aisa mubati uya waaimbosendamira paruoko rwake kuti ave muchengeti wesuo, ipapo vanhu vakamutsikirira pasi pesuo ipapo, akafa, sezvakanga zvataurwa nomunhu waMwari musi wakauya mambo kwaari. Zvakaitika sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari kuna mambo achiti, “Mangwana, nenguva yakaita seino, chiyero choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe uye zviyero zviviri zvebhari zvichatengeswawo neshekeri pasuo reSamaria.” Zvino mubati uya akanga ati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Mwari akazarura mawindo okumatenga, zvakadai zvingaitika here?” Munhu waMwari akanga amupindura akati, “Uchazviona nameso ako, asi haungadyi kana chimwe chazvo!” Zvino ndizvo chaizvo zvakaitika kwaari, nokuti vanhu vakamutsikirira pasuo, akafa. Zvino Erisha akanga ati kumukadzi waakararamisira mwanakomana wake, “Enda kure iwe neimba yako unogara chero paunogona kugara, nokuti Jehovha akarayira nzara ichapedza makore manomwe panyika.” Naizvozvo mukadzi akasimuka akaita sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari. Akaenda iye neveimba yake akandogara kwamakore manomwe kunyika yavaFiristia. Makore manomwe akati akapera, akadzoka kunyika yavaFiristia akaenda kuna mambo akandokumbira kuti adzorerwe imba yake nomunda wake. Zvino mambo akanga achitaurirana naGehazi, muranda womunhu waMwari, uye akanga ati kwaari, “Nditaurirewo pamusoro pezvinhu zvikuru zvose zvakaitwa naErisha.” Gehazi achiri kutaurira mambo kuti Erisha akanga araramisa sei mukomana akanga afa, mukadzi aiva nomwanakomana akanga araramiswa naErisha akabva asvika kuti azokumbira imba yake nomunda wake kuna mambo. Gehazi akati, “Uyu ndiye mukadzi wacho, ishe wangu mambo, uye uyu ndiye mwanakomana wake akararamiswa naErisha.” Zvino mambo akabvunza mukadzi pamusoro paizvozvo, iye akamutaurira. Ipapo akatuma mubati kuti aone nezvenyaya yomukadzi uyu akati, “Mudzorerei zvake zvose pamwe nezvibereko zvinobva pamunda wake kubvira pazuva raakabva munyika ino kusvikira zvino.” Erisha akaenda kuDhamasiko uye Bhenihadhadhi mambo wavaAramu airwara. Mambo akati audzwa kuti, “Munhu waMwari asvika kuno,” iye akati kuna Hazaeri, “Tora chipo uende nacho unosangana nomunhu waMwari. Undibvunzirewo Jehovha kubudikidza naye; umubvunze kuti, ‘Ndichaporawo here pakurwara uku?’ ” Hazaeri akaenda kundosangana naErisha, akamuvigira chipo chezvipfeko zvose zvakanga zvakanaka kwazvo zveDhamasiko zvaitakurwa namakumi mana engamera. Akapinda mumba akamira pamberi pake, akati, “Mwanakomana wenyu Bheni-hadhadhi mambo wavaAramu andituma kuti ndizobvunza kuti, ‘Ndichaporawo here pakurwara uku?’ ” Erisha akapindura akati, “Enda unoti kwaari, Zvirokwazvo muchapora, asi Jehovha akandiratidza kuti vachafa zvirokwazvo.” Akaramba akamutarisa kusvikira Hazaeri anyara. Ipapo munhu waMwari akatanga kuchema. Hazaeri akamubvunza akati, “Seiko ishe wangu achichema?” Iye akapindura akati, “Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vaIsraeri. Uchapisa nhare dzavo nomoto, uchauraya majaya avo nomunondo, ucharovera pwere dzavo pasi, uye uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.” Hazaeri akati, “Ko, muranda wenyu chiiko, iyo imbwa zvayo, kuti angaita chinhu chakakura kudai?” Erisha akapindura akati, “Jehovha akandiratidza kuti iwe uchava mambo wavaAramu.” Ipapo Hazaeri akabva pana Erisha akadzokera kuna tenzi wake. Bheni-hadhadhi paakabvunza achiti, “Erisha akati kudini kwauri?” Hazaeri akapindura akati, “Akandiudza kuti zvirokwazvo muchapora.” Asi nezuva raitevera akatora jira akarinyika mumvura akapfumbira chiso chamambo kusvikira afa. Ipapo Hazaeri akamutevera paumambo. Mugore reshanu raJoramu mwanakomana waAhabhu mambo weIsraeri, Jehoshafati ari mambo weJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati akatanga kutonga kwake samambo weJudha. Akanga ava namakore makumi matatu namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, sezvakaita imba yaAhabhu, nokuti akawana mwanasikana waAhabhu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Kunyange zvakadaro, Jehovha akanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwomuranda wake Dhavhidhi. Akanga avimbisa kupa mwenje kwaari nokuvana vake nokusingaperi. Munguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikazvigadzira mambo wayo. Naizvozvo Jehoramu akaenda kuZairi nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba iye navakuru vake vengoro, asi akamuka usiku akavarwisa; uye hondo yake yakatizira kumusha. Naizvozvo vaEdhomu vakabva vamukira vaJudha kusvikira nhasi. Ribhina yakapandukawo panguva imwe cheteyo. Zvimwe zvakaitwa pamazuva okutonga kwaJehoramu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo aJudha? Jehoramu akavata namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta raDhavhidhi. Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore regumi namaviri raJoramu, mwanakomana waAhabhu, mambo weIsraeri, Ahazia, mwanakomana waJehoramu, mambo weJudha akatanga kutonga. Ahazia akanga ana makore makumi maviri namaviri paakava mambo, akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Zita ramai vake rainzi Ataria, muzukuru waOmuri, mambo weIsraeri. Akafamba munzira dzeimba yaAhabhu akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhu, nokuti akanga ari mukuwasha kumhuri yaAhabhu. Ahazia akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu kundorwa naHazaeri, mambo weAramu, paRamoti Gireadhi. VaAramu vakakuvadza Joramu; naizvozvo mambo Joramu akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda aakanga akakuvadzwa navaAramu paRamoti mukurwa kwake naHazaeri mambo weAramu. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu, mambo weJudha, akaburukira kuJezireeri kundoona Joramu, mwanakomana waAhabhu, nokuti akanga akuvadzwa. Muprofita Erisha akadana murume aibva kuboka ravaprofita akati kwaari, “Chizvisunga chiuno chako, utore chinu chamafuta ugoenda kuRamoti Gireadhi. Kana wasvikako, utsvake Jehu, mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi. Uende kwaari, umubvise pakati peshamwari dzake ugopinda naye muimba yomukati. Ipapo utore chinu ugodira mafuta pamusoro wake uchiti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.’ Ipapo ugozarura mukova utize; usanonoka!” Naizvozvo jaya iri, muprofita, rakaenda kuRamoti Gireadhi. Akati asvika, akawana vakuru vehondo vagere pamwe chete. Akati, “Ndine shoko renyu, imi mukuru.” Jehu akamubvunza akati, “Kuna ani pakati pedu?” Iye akapindura akati, “Kunemi imi, mutungamiri.” Jehu akasimuka akapinda mumba. Ipapo muprofita akadira mafuta pamusoro waJehu akati, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: ‘Ndakuzodza kuti uve mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsraeri. Unofanira kuparadza imba yaAhabhu tenzi wako, uye ini ndichatsiva ropa ravaranda vangu vaprofita uye neropa ravaranda vose vaJehovha rakadeurwa naJezebheri. Nokuti imba yose yaAhabhu ichaparadzwa. Ndichabvisa kubva kuna Ahabhu murume wokupedzisira wose wose muIsraeri, nhapwa kana akasununguka. Ndichaita imba yaAhabhu seyaJerobhoamu, mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha, mwanakomana waAhija. Kana ari Jezebheri, imbwa dzichamudya pamunda weJezireeri, hapana achamuviga.’ ” Ipapo akazarura mukova akatiza. Jehu akati aenda kuna vamwe vabati pamwe naye, mumwe wavo akamubvunza akati, “Kwakanaka here? Ko, iri benzi romurume ravingei kwauri?” Jehu akapindura akati, “Murume uyu unomuziva nezvinhu zvaanogarotaura.” Ivo vakati, “Hazvisizvo! Tiudze.” Jehu akati, “Hezvi zvaandiudza: ‘Zvanzi naJehovha: Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.’ ” Vakakurumidza kutora majasi avo vakaawaridza pasi pamakumbo ake pazvikwiriso. Ipapo vakaridza hwamanda vakadanidzira vachiti, “Jehu ava mambo!” Saka Jehu, mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimushi, akamukira Joramu. (Zvino Joramu navaIsraeri vose vakanga vadzivirira Ramoti Gireadhi nokuda kwaHazaeri mambo weAramu. Asi mambo Joramu akanga adzokera kuJezireeri kuti andopora maronda aakanga akuvadzwa navaAramu muhondo naHazaeri, mambo weAramu.) Jehu akati, “Kana zviri izvo zvamunoda, ngaparege kuva neanonyeruka achibuda muguta achienda kunotaura shoko muJezireeri.” Ipapo akakwira mungoro yake akaenda kuJezireeri, nokuti Joramu akanga akazorora ikoko uye Ahazia mambo weJudha akanga adzikako kuti andomuona. Nharirire yakanga yakamira pamusoro peshongwe muJezireeri yakati ichiona varwi vaJehu vava kusvika, yakadanidzira ichiti, “Ndiri kuona varwi vari kuuya.” Joramu akamurayira akati, “Dana mutasvi webhiza. Mutume kuti anosangana navo agovabvunza kuti, ‘Muri kuuya norugare here?’ ” Mutasvi webhiza akakwira kundosangana naJehu akati, “Zvanzi namambo, ‘Mauya norugare here?’ ” Jehu akapindura akati, “Uneiko iwe norugare?’ Tevera shure kwangu.” Nharirire yakazivisa kuti, “Nhume yasvika kwavari, asi haisi kudzoka.” Saka mambo akatumazve mumwe mutasvi webhiza. Akati achisvika kwavari akati, “Zvanzi namambo ‘Mauya norugare here?’ ” Jehu akapindura akati, “Uneiko norugare iwe? Tevera shure kwangu.” Nharirire yakazivisazve ichiti, “Asvika kwavari, asi naiyewo haasi kudzoka.” Kuchaira kwacho kwakafanana nokwaJehu mwanakomana waNimushi, nokuti anochaira kunge benzi.” Joramu akarayira akati, “Sungai ngoro yangu.” Zvino yakati yasungwa, Joramu mambo weIsraeri naAhazia mambo weJudha vakakwira mumwe nomumwe mungoro yake, kundosangana naJehu. Vakasangana naye pamunda wakanga uri waNabhoti muJezireeri. Joramu akati aona Jehu akamubvunza akati, “Wauya norugare here, Jehu?” Jehu akapindura akati, “Pangava norugare seiko, kana pachine ufeve nouroyi hwakawanda hwamai vako Jezebheri?” Ipapo Joramu akatendeuka akatiza, achidanidzira kuna Ahazi achiti, “Tamukirwa, Ahazi!” Ipapo Jehu akawembura uta hwake akapfura Joramu napakati pamapendekete. Museve wakandobaya pamwoyo wake iye ndokuwira mungoro yake. Jehu akati kuna Bhidhikari, muchairi wengoro, “Musimudze umukande mumunda waimbova waNabhoti muJezireeri. Rangarira pataiva mungoro iwe neni tiri shure kwababa vake Ahabhu, Jehovha paakaita chiprofita ichi pamusoro pake: ‘Nezuro ndakaona ropa raNabhoti neropa romwanakomana wake, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye zvirokwazvo ndichaita kuti iwe uzviripe pamunda uno, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ Naizvozvo zvino, chimusimudza umukande pamunda uyo, sezvakarehwa neshoko raJehovha.” Ahazia mambo weJudha akati aona zvakanga zvaitika, akatiza nenzira yokuBheti Hagani. Jehu akamudzingirira, achidanidzira achiti, “Muurayei naiyewo!” Vakamukuvadza ari mungoro yake ari munzira yaienda nokuGuri pedyo neIbhiremi, asi akapunyuka akaenda kuMegidho akandofira ikoko. Varanda vake vakamutakura nengoro vakaenda kuJerusarema vakandomuviga namadzibaba ake muguva rake muGuta raDhavhidhi. (Mugore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhu, Ahazia akava mambo weJudha.) Zvino Jehu akaenda kuJezireeri. Jezebheri akati azvinzwa, akapenda meso ake, akashongedza bvudzi rake ndokutarira napawindo. Jehu akati achipinda pasuo, Jezebheri akamubvunza akati, “Wauya norugare here, Zimuri, iwe muurayi watenzi wako?” Jehu akatarira kumusoro pawindo akadanidzira akati, “Ndiani ari kurutivi rwangu? Ndiani?” Varanda vaviri kana vatatu vakamutarira. Jehu akati, “Mukandirei pasi!” Naizvozvo vakamukanda pasi, rimwe ropa rake rikapfachukira parusvingo napamabhiza paakatsikwa namabhiza. Jehu akapinda akadya uye akanwa. Akati, “Torai mukadzi akatukwa, mumuvige, nokuti akanga ari mwanasikana wamambo.” Asi vakati vaenda kundomuviga, havana chavakawana kunze kwedehenya rake, tsoka dzake namaoko ake chete. Vakadzokera vakandoudza Jehu, iye akati, “Iri ndiro shoko raJehovha raakataura kubudikidza nomuranda wake Eria muTishibhi achiti: Imbwa dzichadya nyama yaJezebheri pamunda wokuJezireeri. Chitunha chaJezebheri chichava somupfudze pamusoro pomunda wokuJezireeri, zvokuti hapana achagona kuti, ‘Uyu ndiye Jezebheri.’ ” Zvino muSamaria maiva navanakomana vaAhabhu makumi manomwe. Saka Jehu akanyora matsamba akatumira kuSamaria achiti: kuvabati veJezireeri, kuvakuru navachengeti vavana vaAhabhu. Akati, “Panongosvika tsamba iyi kwamuri, sezvo vana vatenzi wenyu vanemi uye ngoro namabhiza munazvo, guta rakakombwa uye nezvombo, sarudzai mwanakomana watenzi wenyu akanaka, uye anokudzwa kukunda vose mugomugadza pachigaro choushe chababa vake. Ipapo mugorwira imba yatenzi wenyu.” Asi vakavhunduka vakati, “Kana madzimambo maviri asina kumukunda, isu tingamugona seiko?” Naizvozvo mutariri wapamuzinda, nomukuru weguta, navakuru navareri vakatuma shoko kuna Jehu vakati, “Tiri varanda venyu uye tichaita zvose zvamunoreva. Hatichagadzi ani zvake kuti ave mambo; imi itai zvose zvamunofunga kuti zvakanaka.” Ipapo Jehu akavanyorerazve tsamba yechipiri akati, “Kana muri kurutivi rwangu uye muchizonditeerera, uyai nemisoro yavanakomana vatenzi wenyu kwandiri muJezireeri nenguva ino mangwana.” Zvino machinda amambo, makumi manomwe, vakanga vane varume vaitungamirira guta, vaiva vachengeti vavo. Tsamba yakati yasvika kwavari, varume ava vakatora vanakomana vamambo vakavauraya vose vari makumi manomwe. Vakaisa misoro yavo mumatengu vakaitumira kuna Jehu muJezireeri. Nhume yakati yasvika, yakaudza Jehu kuti, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo.” Ipapo Jehu akavarayira akati, “Irongei mumirwi miviri pasuo reguta kusvikira mangwana.” Fume mangwana Jehu akamuka akabuda. Akamira pamberi pavanhu vose akati kwavari, “Imi hamuna mhosva. Ndini ndakamukira tenzi wangu ndikamuuraya, asi ndiani auraya ava vose? Muzive zvino kuti hakuna shoko rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhu richawira pasi. Jehovha aita zvaakavimbisa kubudikidza nomuranda wake Eria.” Saka Jehu, akauraya vose vakasara veimba yaAhabhu vaiva muJezireeri, namakurukota ake ose, neshamwari dzake dzepedyo navaprista, akasamusiyira mupenyu. Zvino Jehu akasimuka akananga kuSamaria. Paimba yaivevurirwa makwai navafudzi, akasangana nehama dzaAhazia mambo weJudha akavabvunza akati, “Ndimi vanaaniko?” Ivo vakati, “Tiri hama dzaAhazia, tauya kuzokwazisa mhuri dzamambo nedzamambokadzi.” Akarayira akati, “Vatorei vari vapenyu!” Naizvozvo vakavatora vari vapenyu vakandovauraya patsime rapaimba yaiveurirwa makwai, varume makumi mana navaviri. Haana kusiya mupenyu. Abva ikoko, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akanga ari munzira kuzosangana naye. Jehu akamukwazisa akati, “Unondifarira here, sokufarira kwandinokuita.” Jehonadhabhi akati, “Hongu.” Jehu akati, “Kana zviri izvo ndipe ruoko rwako.” Akaita saizvozvo, Jehu akamukwidza mungoro. Jehu akati kwaari, “Uya uone kushingairira kwangu Jehovha.” Ipapo akafamba naye mungoro yake. Jehu akati asvika kuSamaria, akauraya vakasara vose veimba yaAhabhu; akavaparadza, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha kuna Eria. Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose pamwe chete akati kwavari, “Ahabhu akashumira Bhaari zvishoma; Jehu achamushumira zvakanyanya. Zvino chikokai vaprofita vose vaBhaari, navashumiri vake vose. Muone kuti hapana anosara, nokuti ndiri kuzoita chibayiro chikuru chaBhaari. Ani naani achatadza kuuya haangararami.” Asi Jehu akanga achivanyengera achiitira kuti aparadze vashumiri vaBhaari. Jehu akati, “Danidzirai ungano yokuremekedza Bhaari.” Naizvozvo vakadanidzira. Ipapo akatuma shoko muIsraeri mose, vashumiri vose vaBhaari vakauya; hapana kana mumwe chete akasara. Vakatsikirirana mutemberi yaBhaari kusvikira yazara kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe. Zvino Jehu akati kumuchengeti wezvipfeko, “Uya nenguo dzavashumiri vaBhaari.” Naizvozvo akavavigira nguo. Ipapo Jehu naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakapinda mutemberi yaBhaari. Jehu akati kuvashumiri vaBhaari, “Tarirai muone kuti pakati penyu hapana varanda vaJehovha vari pano nemi, asi vashumiri vaBhaari chete.” Naizvozvo vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu akanga amisa panze varume makumi masere neyambiro yokuti: “Kana mumwe wenyu akarega mumwe wavarume ava vandaisa mumaoko enyu achipunyuka, zvichareva kuti iye achamufira.” Jehu akati achangopedza kuita chipiriso chinopiswa, akabva arayira varindi navakuru akati, “Pindai mukati munovauraya; ngaparege kuva neanopunyuka.” Naizvozvo vakavauraya nomunondo. Varindi navakuru vakakanda zvitunha zvavo kunze uye vakapinda munhare yomukati metemberi yaBhaari. Vakabudisa dombo rinoera kunze kwetemberi yaBhaari vakaripisa. Vakaparadza dombo rinoera raBhaari vakaputsa temberi yaBhaari, uye vanhu vakaishandisa sechimbuzi kusvikira nhasi. Naizvozvo Jehu akaparadza chinamato chaBhaari muIsraeri. Kunyange zvakadaro, haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwakomana waNebhati, zvaakaita kuti vaIsraeri vaite—nokunamata mhuru yegoridhe paBheteri napaDhani. Jehovha akati kuna Jehu, “Nokuti wakaita zvakanaka mukuzadzisa izvo zvakarurama pamberi pangu uye ukaita kuimba yaAhabhu zvose zvandaiva nazvo mupfungwa kuti ndiite, vana vako vachagara pachigaro choushe cheIsraeri kusvikira kurudzi rwechina.” Asi Jehu haana kuchenjerera kuchengeta murayiro waJehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose. Haana kutsauka kubva pazvivi zvaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite. Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutapudza vaIsraeri. Hazaeri akakurira vaIsraeri munyika yavo yose kumabvazuva eJorodhani munyika yose yeGireadhi (dunhu raGadhi, neraRubheni neraManase), kubva kuAreori nepaMupata weAnoni zvichipfuura nomuGireadhi kusvikira kuBhashani. Zvino mamwe mabasa okutonga kwaJehu, nezvose zvaakaita, uye nokubudirira kwake kwose, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jehu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paumambo. Jehu akabata ushe pamusoro peIsraeri muSamaria kwamakore makumi maviri namasere. Ataria mai vaAhazia vakati vaona kuti mwanakomana wavo akanga afa, vakapfuurira mberi nokuparadza veimba youmambo vose. Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu nehanzvadzi yaAhazia, vakatora Joashi mwanakomana waAhazia ndokumuba kubva pakati pavana voumambo, vakanga vava pedyo nokuurayiwa. Akamuisa muimba yake yokurara nomureri wake achimuvanza kubva pana Ataria; saka haana kuurayiwa. Akagara akavigwa iye nomureri wake mutemberi yaJehovha kwamakore matanhatu, Ataria achiri kutonga nyika. Mugore rechinomwe Jehoyadha akatuma vatungamiri vezvikwata zvezana, navarindi akaita kuti vauyiswe kwaari kutemberi yaJehovha. Akaita sungano navo akavaitisa mhiko mutemberi yaJehovha. Ipapo akavaratidza mwanakomana wamambo. Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Imi muri mumapoka matatu ari kuenda pabasa nomusi weSabata, chetatu chenyu chinofanira kurinda muzinda wamambo, chetatu paSuo reSuri, uye chetatu pasuo riri seri kwomurindi, anoita madzoro okurinda temberi, uye imi vari mune mamwe mapoka maviri anochizorora musi weSabata, mose munofanira kurinda temberi muchiitira mambo. Mugare makakomba mambo, murume mumwe nomumwe akabata chombo muruoko rwake. Ani naani anosvika panzvimbo dzenyu anofanira kufa. Mugare pedyo namambo kwose kwose kwaanoenda.” Vatungamiri vezvikwata zvezana vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehoyadha muprista. Mumwe nomumwe akatora vanhu vake, vaya vakanga vachienda pabasa nomusi weSabata navaya vakanga vapedza dzoro vakauya kuna Jehoyadha muprista. Ipapo akapa vakuru vehondo mapfumo nenhoo zvaimbova zvaMambo Dhavhidhi zvaiva mutemberi yaJehovha. Varindi, vakagara vakakomba mambo pedyo nearitari netemberi, mumwe nomumwe akabata chombo muruoko rwake, kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwezasi rwetemberi. Jehoyadha akabudisa mwanakomana wamambo uye akadzika korona mumusoro wake; akamupa rugwaro rwesungano uye akamuita mambo. Vakamuzodza, vanhu vakauchira maoko avo uye vakadanidzira vakati, “Mambo ngaararame nokusingaperi!” Ataria akati anzwa mheremhere yaiitwa navarindi uye navanhu, akaenda kuvanhu patemberi yaJehovha. Akatarira ndokuona hoyo mambo, akamira pambiru, saiyo yaiva tsika yacho. Vakuru navaridzi vehwamanda vakanga vari parutivi rwamambo, uye vanhu vose venyika vakanga vachifara vachiridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake akadanidzira achiti, “Vandimukira! Vandimukira!” Jehoyadha muprista akarayira vatungamiri vezvikwata zvezana, vaitungamirira mauto akati: “Mubudisei kunze nechapakati pemisara mugouraya ani naani anomutevera.” Nokuti muprista akanga ati, “Haafaniri kuurayirwa mutemberi yaJehovha.” Naizvozvo vakamubata paakasvika panzvimbo yaipinda namabhiza pamuzinda, vakamuurayira ipapo. Ipapo Jehoyadha akaita sungano pakati paJehovha namambo uye navanhu kuti vaizova vanhu vaJehovha. Akaitawo sungano pakati pamambo navanhu. Vanhu vose venyika vakaenda kutemberi yaBhaari vakaiputsira pasi. Vakaputsa aritari dzezvifananidzo uye vakaurayawo Matani, muprista waBhaari, pamberi pearitari. Ipapo Jehoyadha muprista akagadza varindi patemberi yaJehovha. Akatora vatungamiri vamazana, navaKari, navarindi uye vanhu vose venyika, vakaburutsa mambo kubva kutemberi yaJehovha vakaenda naye kumuzinda pamwe chete, vakapinda nokusuo ravarindi. Ipapo mambo akatora nzvimbo yake pachigaro choushe, vanhu vose venyika vakafara. Guta rakanyarara, nokuti Ataria akanga aurayiwa nomunondo pamuzinda. Joashi akanga ana makore manomwe paakatanga kutonga. Mugore rechinomwe raJehu, Joashi akava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Zita ramai vake rainzi Zibhia; vaibva kuBheerishebha. Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha pamakore ose aakadzidziswa naJehoyadha muprista. Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisira zvinonhuwira ikoko. Joashi akati kuvaprista, “Unganidzai mari yose inouyiswa sezvipiriso zvakatsaurwa kutemberi yaJehovha, mari inounganidzwa, pakuverengwa kwavanhu, mari inogamuchirwa iri yemhiko, nemari inouyiswa kutemberi vanhu vachida havo. Vaprista vose ngavagamuchire mari kubva kuno mumwe wavachengeti vehomwe yemari, uye ngaishandiswe kugadzira pose pavanowana pakaputsika mutemberi.” Asi mugore ramakumi maviri namatatu raMambo Joashi vaprista vakanga vachigere kugadzira temberi. Naizvozvo Mambo Joashi akadana muprista Jehoyadha navamwe vaprista akavabvunza akati, “Seiko musingagadziri pakaputsika mutemberi? Chiregai kutora imwe mari zvakare kubva kuvabati vehomwe, asi muibudise kuti iite basa rokugadzira temberi.” Vaprista vakabvuma kuti havaizounganidzazve mari kubva kuvanhu uye kuti havaizogadzira temberi ivo pachavo. Muprista Jehoyadha akatora bhokisi akaboora buri pachidzivo charo. Akarigadzika parutivi pearitari, kurudyi kana munhu achipinda mutemberi yaJehovha. Vaprista vairinda mukova vakaisa mubhokisi mari yose yakauyiswa kutemberi yaJehovha. Pose pavaiona kuti mari yakanga yawanda mubhokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru, vaiverenga mari yainge yauyiswa mutemberi yaJehovha voiisa muzvihomwe. Vaiti kana vaona kuti yava marii, vaizoipa kuvarume vakanga vagadzwa kuti vave vatariri vebasa retemberi. Mari iyi yaizoripira vakanga vachishanda patemberi yaJehovha, vavezi navavaki, navaironga uye navavezi vamatombo. Vakatenga matanda namatombo akavezwa okugadzirisa temberi yaJehovha, uye vakaripira zvose zvaidiwa pakugadziridza temberi. Mari yaiuyiswa mutemberi haina kushandiswa pakugadzira madhishi esirivha, mbato dzemwenje, nemikombe, nehwamanda kana zvimwe zvipi zvazvo zvegoridhe kana sirivha zvetemberi yaJehovha. Yakaripirwa kuvarume vaishanda, ivo vakaishandisa kugadzira temberi. Havana kubvunza mashandisirwo ayo kuna avo vavakapa mari kuti varipire vashandi, nokuti vakashanda vakatendeka zvakakwana. Mari yaibva kuzvipiriso zvemhosva nezvipiriso zvechivi haina kuuyiswa mutemberi yaJehovha; yakanga iri yavaprista. Panguva yakaita saiyoyi Hazaeri mambo weAramu akaenda akandorwisa Gati akaripamba. Ipapo akadzokera kundorwisa Jerusarema. Asi Joashi mambo weJudha akatora zvinhu zvose zvitsvene zvakatsaurwa zvakanga zvakumikidzwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu naAhazia madzimambo eJudha, zvipo zvaakanga akumikidza iye negoridhe rose rakawanikwa mumatura etemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, akazvitumira kuna Hazaeri mambo weAramu, iye akabva muJerusarema. Zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Vabati vake vakaita rangano yokumumukira vakamuuraya paBheti Miro, panzira yaienda kuSira. Vabati vakamuuraya vakanga vari vanaJozabhadhi mwanakomana waShimeati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri. Iye akafa akavigwa namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha nokutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga aita kuti vaIsraeri vaite, uye haana kutendeuka kubva pazvivi. Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakabvira somoto pamusoro peIsraeri, uye kwenguva yakareba akavaisa pasi poruoko rwaHazaeri mambo weAramu naBheni-hadhadhi mwanakomana wake. Ipapo Jehoahazi akatsvaka nyasha dzaJehovha, Jehovha akamunzwa, nokuti akanga aona kuti mambo weAramu airwadzisa nokutambudza Israeri zvakanyanya sei. Jehovha akamutsira Israeri mudzikinuri, uye vakapukunyuka kubva pasi poruoko rwavaAramu. Naizvozvo vaIsraeri vakagara mumisha yavo sezvavakanga vakaita kare. Asi havana kutendeuka kubva pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite, vakarambira mazviri. Uyezve danda raAshera rakaramba rimire muSamaria. Hapana hondo yaJehoahazi yakasara kunze kwavarume vamabhiza makumi mashanu, nengoro gumi uye zviuru gumi zvavarwi vaifamba netsoka, nokuti mambo weAramu akanga aparadza vazhinji vavo akavaita seguruva renguva yokupura. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoahazi, nezvose zvaakaita nokubudirira kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jehoahazi akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Jehoashi mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore ramakumi matatu namanomwe raJoashi mambo weJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namatanhatu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite; akarambira mazviri. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoashi, nezvose zvaakaita, nokubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jehoashi akazorora namadzibaba ake, Jerobhoamu akamutevera pachigaro choushe. Jehoashi akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri. Zvino Erisha akanga achirwadziwa nedenda iro rakazomuuraya. Jehoashi mambo weIsraeri akaendako kundomuona akachema pamusoro pake akati, “Baba vangu! Ngoro dzaIsraeri navatasvi vamabhiza!” Erisha akati, “Tora uta nemiseve,” iye akaita saizvozvo. Akati kuna mambo weIsraeri, “Tora uta muruoko rwako.” Akati atora uta, Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo. Akati, “Zarura windo rokumabvazuva,” iye ndokurizarura. Erisha akati, “Pfura!” iye ndokupfura. Erisha akati, “Museve waJehovha wokukunda, museve wokukunda Aramu! Iwe uchaparadza vaAramu zvachose paAfeki.” Ipapo akati, “Chitora miseve,” mambo akaitora. Erisha akati kwaari, “Rova pasi,” iye akarova katatu akabva amira. Munhu waMwari akamutsamwira akati kwaari, “Wanga uchifanira kurova pasi kashanu kana katanhatu; ipapo waizokunda Aramu nokuiparadza zvachose. Asi zvino uchangozoikunda katatu chete. Erisha akafa akavigwa. Zvino hondo dzavaMoabhu dzakanga dzichipinda munyika kutanga kwegore roga roga. Rimwe zuva vaIsraeri vachiviga mumwe murume, pakarepo vakaona mapoka avapambi; naizvozvo vakakanda mutumbi womunhu uyu muguva raErisha. Mutumbi wakati wagunzva mapfupa aErisha, munhu uya akamuka akamira namakumbo ake. Hazaeri mambo weAramu akatambudza vaIsraeri pamazuva ose okutonga kwaJehoahazi. Asi Jehovha akavaitira nyasha, uye akava nengoni akava nehanya navo nokuda kwesungano yake naAbhurahama, naIsaka naJakobho. Kusvikira nhasi haana kuda kuvaparadza kana kuvarasira kure naye. Hazaeri mambo weIsraeri akafa, mwanakomana wake Bheni-hadhadhi akamutevera paumambo. Ipapo Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorazve kubva kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aakanga atora muhondo kubva kuna baba vake Jehoahazi. Jehoashi akamukunda katatu, nokudaro akadzorazve maguta avaIsraeri. Mugore rechipiri raJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Jehoadhini vakanga vachibva muJerusarema. Iye akaita zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete sezvakaitwa nababa vake Dhavhidhi. Pazvinhu zvose akatevera muenzaniso wababa vake Joashi. Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachipa zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko. Mushure mokunge umambo hwanyatsosimba mumaoko ake, akauraya vabati vaya vakauraya baba vake iye mambo. Asi haana kuuraya vanakomana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi sezvakarayira Jehovha paakati, “Madzibaba haazourayiwi nokuda kwavana vavo, uye vana havaurayiwi nokuda kwamadzibaba avo mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.” Iye ndiye akakunda gumi rezviuru zvavaEdhomu muMupata woMunyu uye akapamba Sera muhondo, akaritumidza kuti Jokiteeri, rinova zita raro kusvikira nhasi. Ipapo Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo weIsraeri, akati, “Uya tionane.” Asi Jehoashi mambo weIsraeri akapindura Amazia mambo weJudha akati, “Rukato rwomuRebhanoni rwakatuma nhume kumusidhari womuRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanasikana wako kuti awanikwe nomwanakomana wangu.’ Ipapo mhuka yesango yomuRebhanoni yakauyapo ikatsika-tsika rukato netsoka dzayo. Zvirokwazvo wakakunda Edhomu asi zvino wava kuzvikudza. Zvirumbidze hako pakukunda kwako, asi ugare kumba! Seiko wava kutsvaka bongozozo kuti uzviwisire pasi iwe pamwe chete neJudha?” Kunyange zvakadaro, Amazia haana kuda kuteerera, naizvozvo Jehoashi mambo weIsraeri akamurwisa. Iye naAmazia mambo weJudha vakasangana paBheti Shemeshi muJudha. VaJudha vakakundwa navaIsraeri, murume mumwe nomumwe akatizira kumusha kwake. Jehoashi mambo weIsraeri akabata Amazia mambo weJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waAhazia, paBheti Shemeshi. Ipapo Jehoashi akaenda kuJerusarema akandoputsa rusvingo rweJerusarema kubva kuSuo raEfuremu kusvikira paSuo repaKona chikamu chinosvika makubhiti mazana manaa. Akatora goridhe rose nesirivha yose nemidziyo yose yakawanikwa iri mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo. Akatorawo vasungwa ndokubva adzokera kuSamaria. Zvino zvimwe zvokutonga kwaJehoashi, nezvaakaita uye kubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jehoashi akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri. Jerobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akararama kwamakore gumi namashanu mushure mokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaAmazia, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Vakaita rangano yakaipa pamusoro pake muJerusarema, iye akatizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi vakamuurayira ikoko. Akadzoswa namabhiza vakamuviga muJerusarema pamwe chete namadzibaba ake, muGuta raDhavhidhi. Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Azaria, akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. Ndiye akavakazve Erati akaridzorera kuna Judha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake. Mugore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri akava mambo muSamaria, akatonga kwamakore makumi mana negore rimwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite. Ndiye akadzikazve miganhu yeIsraeri kubva paRebho Hamati kusvika kuGungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsraeri, rakataurwa kubudikidza nomuranda wake Jona mwanakomana waAmutai, muprofita wokuGati Hefa. Nokuti Jehovha akanga aona kuti vanhu vose muIsraeri vaitambudzika zvakanyanya sei, vose nhapwa navakasununguka; pakanga pasina angabatsira. Uye sezvo Jehovha akanga asina kumboti aizodzima zita raIsraeri kubva pasi pedenga, akavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nokukunda kwake pakurwa, pamwe nokuti akadzorera sei Dhamasiko neHamati kuIsraeri, aimbova maguta eJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Jerobhoamu akazorora namadzibaba ake, madzimambo eIsraeri. Zekaria mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore ramakumi maviri namanomwe raJerobhoamu mambo weIsraeri, Azaria mwanakomana waAmazia mambo weJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore gumi namatanhatu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Zita ramai vake rainzi Jekoria; vaibva muJerusarema. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Amazia. a13 mamita angaita 180 Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko. Jehovha akarova mambo namaperembudzi kusvikira pazuva raakafa, uye aigara mumba yake oga. Jotamu mwanakomana wamambo ndiye akanga ari mutariri womuzinda uye aitonga vanhu venyika iyoyo. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaAzaria, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha. Azaria akazorora namadzibaba ake akavigwa pedyo navo muGuta raDhavhidhi. Uye Jotamu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo weJudha, Zakaria mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwemwedzi mitanhatu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa nababa vake. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvakaita kuti Israeri iite. Sharumi mwanakomana waJabheshi akamukira Zekaria. Akamurwisa pamberi pavanhu, akamuuraya uye akamutevera paumambo. Zvino zvimwe zvakaitika zvokutonga kwaZekaria zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri. Saka shoko raJehovha rakataurwa kuna Jehu richiti, “Vana vako vachagara pachigaro choushe chaIsraeri kusvikira kurudzi rwechina,” rakazadziswa. Sharumi mwanakomana waJabheshi akava mambo mugore ramakumi matatu namapfumbamwe raUzia mambo weJudha, uye akatonga muSamaria kwomwedzi mumwe chete. Ipapo Menahemi mwanakomana waGadhi akaenda kuSamaria achibva kuTiriza. Akarwisa Sharumi mwanakomana waJabheshi muSamaria, akamuuraya iye akamutevera paumambo. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaSharumi, nokumukira kwaakatungamirira, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri. Panguva iyoyo Menahemi, akarwisa Tifisa navose vaiva muguta nenzvimbo dzaiva pedyo, achitanga kubva paTiriza, nokuti vakanga varamba kuzarura masuo avo. Akaparadza Tifisa uye akatumbura vakadzi vaiva nemimba. Mugore ramakumi matatu namapfumbamwe raAzaria mambo weJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi akava mambo weIsraeri, uye akatonga muSamaria kwamakore gumi. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Mumazuva ake ose okutonga haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite. Ipapo Puri mambo weAsiria akarwisa nyika, uye Menahemi akamupa chiuru chamatarendaa esirivha, kuti awane rutsigiro agosimbisa umambo hwake. Menahemi akatora mari iyi somutero kubva kuIsraeri. Murume wose aiva mupfumi aibvisa makumi mashanu amashekerib esirivha kuti apiwe kuna mambo weAsiria. Saka mambo weAsiria akadzokera uye akasagarazve munyika. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Menahemi akazorora namadzibaba ake. Uye Pekahia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore ramakumi mashanu raAhazia mambo weJudha, Pekahia mwanakomana waMenahemi akava mambo weIsraeri muSamaria, akatonga kwamakore maviri. Pekahia akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite. Mumwe wamakurukota ake, ainzi Peka mwanakomana waRemaria, akamumukira. Akatora varume makumi mashanu veGireadhi, akauraya Pekahia pamwe chete naArigobhi naArie, munhare yomuzinda wamambo weSamaria. Saka Peka akauraya Pekahia uye akamutevera paumambo. Zvimwe zvakaitika pakutonga kwaPekahia, nezvose zvaakaita zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri. Mugore ramakumi mashanu namaviri raAzaria mambo weJudha, Peka, mwanakomana waRemaria, akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore makumi maviri. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakaita kuti Israeri iite. Munguva yaPeka mambo weIsraeri, TigiratiPireseri mambo weAsiria akauya akatora Goni, neAbheri Bheti Maaka, neJanoa, neKedheshi neHazori. Akatora Gireadhi neGarirea pamwe chete nenyika dzose dzeNafutari uye akatakura vanhu akaenda navo kuAsiria senhapwa. Ipapo Hoshea mwanakomana waEra akamukira Peka mwanakomana waRemario. Akamurwisa akamuuraya ndokubva amutorera umambo mugore ramakumi maviri raJotamu mwanakomana waUzia. Zvimwe zvakaitika pakutonga kwaPeka, nezvaakaita iye, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? Mugore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri, Jotamu mwanakomana waUzia mambo weJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Zita ramai vake rainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia. Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko. Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJotamu, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? (Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weAramu naPeka mwanakomana waRemaria kundorwisa Judha.) Jotamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi, guta rababa vake. Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore regumi namanomwe raPeka mwanakomana waRemaria, Ahazia mwanakomana waJotamu mambo weJudha akatanga kutonga uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Ahazia akanga ava namakore makumi maviri paakava mambo. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi. Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, uye akasvika pakubayira vanakomana vake mumoto achitevera zvainyangadza zvedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. Akabayira zvibayiro uye akapisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira, pamusoro pezvikomo napasi pemiti yose yakapfumvutira. Ipapo Rezini mambo weAramu naPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema vakakomba Ahazia, asi havana kugona kumukunda. Panguva iyoyo, Rezini mambo weAramu akadzorera Erati kuna Aramu nokudzinga varume veJudha. VaEdhomu vakapinda muErati uye ndimo mavanogara kusvikira nhasi. Ahazia akatuma nhume kuna Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akati, “Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu. Uyai kuno mundinunure kubva muruoko rwamambo weAramu norwamambo weIsraeri vari kundirwisa.” Ahazia akatora sirivha negoridhe zvakanga zvawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omuzinda wamambo akazvitumira sechipo kuna mambo weAsiria. Mambo weAsiria akamunzwa ndokubva andorwisa Dhamasiko akarikunda. Akaendesa vanhu varo kuKiri uye akauraya Rezini. Ipapo Mambo Ahazia akaenda kuDhamasiko kundosangana naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Akaona aritari muDhamasiko ndokubva atumira mufananidzo wearitari kuna Uria muprista, nerondedzero yamavakirwo ayo. Saka muprista Uria akavaka aritari maererano namavakirwo ose akanga atumwa naMambo Ahazia kubva kuDhamasiko, akaipedza Mambo Ahazia asati adzokako. Mambo akati adzoka kubva kuDhamasiko akaona aritari akasvika pairi akapa zvipiriso pairi. Akapa chipiriso chinopiswa, rechipiriso chezviyo, akadururapo chipiriso chake chokunwa uye akasasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana pamusoro pearitari. Aritari yendarira yakanga yakamiswa pamberi paJehovha, akaibvisa kumberi kwetemberi kuti abve pakati pearitari itsva netemberi yaJehovha, uye akaiisa kudivi rokumusoro kwearitari itsva. Ipapo Mambo Ahazia akarayira muprista Uria mirayiro iyi akati, “Pamusoro pearitari huru, upe chipiriso chinopiswa chamangwanani, uye manheru chipiriso chezviyo, chipiriso chinopiswa chamambo nechipiriso chake chezviyo, uye chipiriso chinopiswa chavanhu vose venyika, nechipiriso chavo chezviyo, nezvipiriso zvavo zvokunwa. Usase paaritari, ropa rose rezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro. Asi ndichashandisa aritari yendarira pakutsvaka kutungamirirwa.” Naizvozvo muprista Uria akaita sezvaakanga arayirwa naMambo Ahazia. Ipapo mambo Ahazia akabvisa mapuranga omumativi uye akabvisawo madhishi pazvigadziko zvinofambiswa. Akabvisa Gungwa kubva panzombe dzendarira dzairitsigira akarigadzika pahwaro hwedombo. Akabvisa denga reSabata rakanga rambovakwa patemberi uye akabvisa suo ramambo kunze kwetemberi yaJehovha, kuti akudze mambo weAsiria. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaAhazia, uye zvaakaita iye, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Ahazia akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi. Hezekia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore regumi namaviri raAhazia mambo weJudha, Hoshea mwanakomana waEra akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore mapfumbamwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita samadzimambo eIsraeri akamutangira. Sharimaneseri mambo weAsiria akauya kuzorwisa Hoshea, iye akava muranda wake akaripa mutero kwaari. Asi mambo weAsiria akazoziva kuti Hoshea yaiva mhandu, nokuti akanga atuma nhume kuna So, mambo weIjipiti, uye akarega kuripa mutero kuna mambo weAsiria, sezvaaisiita gore negore. Naizvozvo Sharimaneseri akamubata akamuisa mutorongo. Mambo weAsiria akarwisa nyika yose, akafamba akananga kuSamaria akarikomba kwamakore matatu. Mugore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria akaendesa vaIsraeri kuAsiria. Akavagarisa muHara, nomuGozani, pedyo noRwizi rweHazori uye nomumaguta avaMidhia. Izvi zvose zvakaitika nokuda kwokuti vaIsraeri vakanga vatadzira Jehovha Mwari wavo, akanga avabudisa kubva muIjipiti pasi poruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Vakanamata vamwe vamwari uye vakatevera tsika dzedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naJehovha, pamwe chete netsika dzakanga dzatangiswa namadzimambo eIsraeri. VaIsraeri vakaita zvinhu zvakanga zvisina kururama kuna Jehovha Mwari wavo muchivande. Vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa. Vakazvimisira matombo namatanda okunamata pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose yakapfumvutira. Vakapisa zvinonhuwira panzvimbo dzose dzakakwirira, sezvakanga zvichiitwa nendudzi dzakadzingwa pamberi pavo naJehovha. Vakaita zvinhu zvakaipa zvakamutsa hasha dzaJehovha. Vakanamata zvifananidzo, kunyange Jehovha akanga ati, “Musaita izvi.” Jehovha akayambira Israeri neJudha kubudikidza navaprofita vake vose navaoni akati, “Ibvai panzira dzenyu dzakaipa. Cherechedzai mirayiro nemitemo yangu maererano noMurayiro wose wandakarayira madzibaba enyu kuti vauteerere uye uyo wandakapa kwamuri kubudikidza navaranda vangu vaprofita.” Asi havana kuda kuteerera uye vakava nemitsipa mikukutu sezvakanga zvakaita madzibaba avo, avo vasina kuvimba naJehovha Mwari wavo. Vakaramba mitemo yake nesungano yaakanga aita namadzibaba avo uyewo neyambiro dzaakanga avapa. Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo pachavo vakava vasina maturo. Vakatevedzera ndudzi dzakanga dzakavakomberedza kunyange Jehovha akanga avarayira akati, “Musaita sezvavanoita,” asi vakaita zvinhu zvavakarambidzwa naJehovha. Vakasiya mirayiro yose yaJehovha Mwari wavo vakazviitira zvifananidzo zviviri zvakaumbwa zvemhuru, uye nedanda reAshera. Vakanamata nyeredzi dzose dzokudenga, uye vakanamata Bhaari. Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto. Vakaita zvokuvuka nouroyi vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi pameso paJehovha, vakamutsa hasha dzake nazvo. Naizvozvo Jehovha akatsamwira Israeri zvikuru akavabvisa pamberi pake. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakasara, uye kunyange vaJudhawo havana kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wavo. Vakatevera tsika dzakanga dzatangwa neIsraeri. Naizvozvo Jehovha akaramba vanhu vose veIsraeri; akavatambudza akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avabvisa pamberi pake. Akati abvarura Israeri kubva muimba yaDhavhidhi, vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati mambo wavo. Jerobhoamu akatsausa Israeri pakutevera Jehovha akavaita kuti vaite chivi chikuru. VaIsraeri vakaramba vari muzvivi zvose zvaJerobhoamu uye havana kutendeuka kubva pazviri kusvikira Jehovha avabvisa pamberi pake, sezvaakanga avayambira kubudikidza navaranda vake vose vaprofita. Saka vanhu veIsraeri vakatapwa kubva kunyika yavo vakaendeswa kuusungwa muAsiria, uye vachiriko nanhasi. Mambo weAsiria akauya navanhu kubva kuBhabhironi, nokuKuta, neAvha, neHamati neSefarivhaimu ndokuvagarisa mumaguta eSamaria pachinzvimbo chavaIsraeri. Vakatora Samaria vakagara mumaguta ayo. Pavakatanga kugarako, vakanga vasinganamati Jehovha; naizvozvo akatuma shumba pakati pavo dzikauraya vamwe vavo. Vakazivisa mambo weAsiria kuti: “Vanhu vamabvisa mukavagarisa mumaguta eSamaria havazivi zvinodikanwa naMwari wenyika iyoyo. Akatuma shumba pakati pavo, dziri kuvauraya, nokuti vanhu havazivi zvaanoda.” Ipapo mambo weAsiria akarayira akati, “Itai kuti mumwe wavaprista vamakatapa kubva kuSamaria adzokere kunogarako agodzidzisa vanhu kuti mwari wenyika iyi anodei.” Saka mumwe wavaprista vakanga vatapwa kubva kuSamaria akauya kuzogara muBheteri akavadzidzisa kunamata Jehovha. Kunyange zvakadaro, rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo mumaguta mazhinji mavaigara, vakavamisa mudzimba dzokunamatira dzakanga dzaitwa navanhu veSamaria mumatunhu akakwirira. Varume vaibva kuBhabhironi vakavaka Sukoti-Bhenoti, vanhu vaibva kuKuta vakavaka Nerigari, vanhu vaibva kuHamati vakavaka Ashima; vaAvhi vakavaka Nibhazi Taritaki, uye vaSefavhi vakapisa vana vavo mumoto sezvibayiro kuna Adhiramereki naAnamereki vamwari veSefavhaimu. Vakanamata Jehovha, asi vakagadzawo mhando dzose dzavanhu vavo kuti vavashandire savaprista mudzimba dzenzvimbo dzakakwirira. Vakanamata Jehovha, asi vakashumirawo vamwari vavo maererano netsika dzendudzi idzo dzavakanga vabviswa kwadziri. Kusvikira nhasi vari kurambira mutsika dzavo dzekare. Havanamati Jehovha kana kuteerera mitemo nezvakatemwa, nemirayiro nemirau yakapiwa naJehovha kuvana vaJakobho, uyo waakatumidza kuti Israeri. Jehovha akati aita sungano navaIsraeri, akavarayira akati, “Musanamata kana vamwari vapi zvavo kana kuvapfugamira, kana kuvashumira kana kubayira kwavari. Asi Jehovha uyo akakubudisai kubva munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rwakatambanudzwa, ndiye oga wamunofanira kunamata. Ndiye wamunofanira kupfugamira uye ndiye wamunofanira kupa zvibayiro. Munofanira kugara makachenjerera kuchengeta mitemo yake nezvaakatonga, nemirayiro, nemirau yaakakunyorerai. Musanamata vamwe vamwari. Musakanganwa sungano yandakaita nemi, uye musanamata vamwe vamwari. Asi munofanira kunamata Jehovha Mwari wenyu; ndiye achakusunungurai kubva mumaoko avavengi venyu vose.” Kunyange zvakadaro, havana kuda kunzwa asi vakarambira mutsika dzavo dzakare. Kunyange vanhu ava vainamata Jehovha, vaingoshumira vamwari vavo. Nanhasi vana vavo navazukuru vavo vanoramba vachiita zvimwe chetezvo zvaiitwa namadzibaba avo. Mugore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra Mambo weIsraeri, Hezekia mwanakomana waAhazia mambo weJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhiya mwanasikana waZekaria. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita baba vake Dhavhidhi. Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa matombo okunamata, uye akatema matanda aAshera. Akaputsaputsa nyoka yendarira yakanga yaitwa naMozisi, nokuti kusvikira panguva iyoyo vaIsraeri vakanga vachipisira zvinonhuwira kwairi. (Yakanga ichinzi Nehushitani.) Hezekia akanga achivimba naJehovha, Mwari waIsraeri. Kwakanga kusina akafanana naye pakati pamadzimambo ose eJudha, vakamutangira kana vakamutevera. Akanamatira kuna Jehovha uye haana kurega kumutevera; akachengeta mirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha. Uye Jehovha aiva naye; akabudirira pane zvose zvaakaita. Akamukira mambo weAsiria akasazomushandira. Akakunda vaFiristia, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa, zvichienda kuGaza nenyika yayo. Mugore rechina ramambo Hezekia, iro raiva gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo weIsraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akaenda kundorwa neSamaria akarikunda. Pakupera kwamakore matatu vaAsiria vakaritora. Saka Samaria yakatorwa mugore rechitanhatu raMambo Hezekia, iro rakanga riri gore rechipfumbamwe raHoshea mambo weIsraeri. Mambo weAsiria akavatapa akavaendesa kuAsiria akandovagarisa muHara, muGozani paRwizi rweHabhori nomumaguta avaMedhesi. Izvi zvakaitika nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha Mwari wavo, asi vakanga vadarika sungano yake nezvose zvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha. Vakaramba kunzwa mirayiro kana kuiita. Mugore regumi namana rokutonga kwamambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose eJudha akakomberedzwa namasvingo akaatora. Saka Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi achiti, “Ndakakanganisa hangu. Ibvai henyu kwandiri, uye ndicharipa zvose zvamuchareva kwandiri.” Mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha mutero wamazana matatu amatarendaa esirivha namatarenda egoridhe makumi matatub. Saka Hezekia akamupa sirivha yose yakawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo. Panguva iyoyo Hezekia mambo weJudha akabvisa goridhe raakanga afukidza naro makonhi nembiru dzamakonhi etemberi yaJehovha, akazvipa kuna mambo weAsiria. Mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wavabati uye nomukuru wavatariri, nehondo huru, kubva kuRakishi kuti vaende kuna mambo Hezekia kuJerusarema. Vakakwira kuJerusarema uye vakamira pamugero weDziva roKumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki. Vakadana mambo; uye Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakabuda vakaenda kwavari. Mukuru wavatariri akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti: “ ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Chaunovimba nacho chii? Unoti unogona kuronga uye une simba rokurwa, asi uri kungotaura mashoko asingazari mukombe. Uri kuvimba naaniko, kuti undimukire? Tarira zvino, wakasendamira paIjipiti, uya mudonzvo werutsanga rwakatsemuka runobaya ruoko rwomunhu ruchimupa ronda kana asendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanosendamira paari. Asi kana ukati kwandiri, “Tinovimba naJehovha Mwari wedu,” ko, haazi iye ane matunhu akakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, achiti kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi muJerusarema here?” “ ‘Chiuya zvino, uite chitsidzo natenzi wangu, mambo weAsiria. Ndichakupa zviuru zviviri zvamabhiza, kana uchigona kuisa vatasvi pamusoro pawo! Ungagona seiko kukunda mumwe wamachinda madiki atenzi wangu kunyange dai uchivimba neIjipiti kuti uchapiwa ngoro navatasvi vamabhiza? Pamusoro pezvo, handina kuuya kuzorwa nokuparadza nzvimbo ino ndisina shoko rinobva kuna Jehovha here? Jehovha pachake akandiudza kuti ndiuye kuzorwisa nyika uye ndiiparadze.” Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhina naJoa vakati kumukuru wavatariri, “Tapota, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachizvinzwa.” Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wako nokwauri chete here kuti nditaure mashoko aya ndisingatauri kuvarume vagere parusvingo, ivo pamwe chete newe vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yemiviri yavo?” Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira norurimi rwechiHebheru achiti, “Inzwai shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria! Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikukurudzirai kuti muvimbe naJehovha paanoti, ‘Zvirokwazvo Jehovha achatirwira; guta rino harizopiwi muruoko rwamambo weAsiria.’ “Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kuno kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake, uye achanwa mvura inobva muchirongo chake, kusvikira ndauya ndikakutorai ndigokuisai kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zvokudya newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa, nyika yemiti yemiorivhi nouchi. Sarudzai upenyu kwete rufu! “Musaterera Hezekia, nokuti anokutsausai kana akati, ‘Jehovha achatirwira.’ Pana mwari wenyika ipi zvayo akamborwira nyika yake kubva muruoko rwamambo weAsiria? Vamwari veHamati neveAripadhi varipi? Vamwari veSefavhaimi, neHena neIvha varipi? Vakanunura Samaria muruoko rwangu here? Ndiani wavamwari vose venyika idzi akagona kuponesa nyika yake kubva kwandiri? Zvino Jehovha achanunura Jerusarema sei kubva muruoko rwangu?” Asi vanhu vakaramba vakanyarara vakasataura chinhu, nokuti mambo akanga arayira akati, “Musamupindura.” Ipapo Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womunda wamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wavatariri. Mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha. Akatuma Eriakimi mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori navatungamiri vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi. Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nokunyadziswa, sezvinoita vana vasvika pakuzvarwa ipo pasina simba rokusununguka. Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, akatumwa natenzi wake, mambo weAsiria, kuzozvidza Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka nokuda kwamashoko akanzwikwa naJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo unyengeterere vakasara avo vachiri vapenyu.” Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya, Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya mashoko awakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria. Tarira, ndichaisa mweya maari wokuti paanonzwa mamwe mashoko, achadzokera kunyika yake, uye ndichaita kuti aurayiwe nomunondo ikoko.’ ” Mukuru wavatariri paakanzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuRakishi, akadzoka akabva akaenda akandowana mambo achirwa neRibhina. Zvino Senakeribhi akagamuchira chiziviso chaiti Tirihaka, mambo weEtiopia akanga achifamba achiuya kuzorwa naye. Saka akatumazve nhume kuna Hezekia neshoko iri rokuti: “Muti kuna Hezekia mambo weJudha: Musarega Mwari wamunovimba naye achikunyengedzai paanoti, ‘Jerusarema harizopiwa mumaoko amambo weAsiria.’ Zvirokwazvo makanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose, vachidziparadza zvachose. Zvino imi mucharwirwa here? Ko, vamwari vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzitateguru angu: vamwari veGozani, neHarani, neRezefi navanhu veEdheni vakanga vari muTera Asari, vakavarwira here? Ko, mambo weHamati aripi, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefavhaimi, weHena kana neIvha?” Hezekia akagamuchira tsamba kubva kunhume uye akaiverenga. Ipapo akaenda kutemberi yaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha. Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, imi mugere pakati pamakerubhi, imi moga ndimi Mwari pamusoro poushe hwose hwapasi. Rerekerai nzeve, imi Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, imi Jehovha, muone; inzwai mashoko Senakeribhi aakatuma kuti azozvidza nawo Mwari mupenyu. “Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi nenyika dzavo. Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo, akaumbwa namaoko avanhu. Haiwa Jehovha Mwari wedu, zvino chitirwirai kubva muruoko rwake, kuitira kuti umambo hwose hwapanyika huzive kuti imi moga, ndimi Mwari.” Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekia akati, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndanzwa munyengetero wako pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria. Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake: “Mhandara Mwanasikana weZioni anokushora uye anokuseka. Mwanasikana weJerusarema anokudzungudzira musoro uchitiza. Ndianiko wawakazvidza uye ukamhura? Wakasimudzira inzwi rako kuna aniko uye ukasimudza meso ako mukuzvikudza? Ndiye Mutsvene waIsraeri! Nenhume dzako wakaunganidza zvituko kuna Jehovha. Uye wakati, “Nengoro dzangu zhinji ndakakwira makomo marefu, nzvimbo refu refu dzeRebhanoni. Ndakatemera pasi misidhari yayo yakareba, nemipaini yayo yakaisvonaka. Ndakasvika kumasango ayo kure kure, masango ayo akanakisisa. Ndakachera matsime munyika yavatorwa, uye ndikanwa mvura ikoko. Netsoka dzangu ndakaomesa hova dzose dzeIjipiti.” “ ‘Hauna kunzwa here? Ndakazviita kare kare. Mumazuva akare ndakazvironga; zvino ndaita kuti zviitike, kuti wakashandura maguta akakomberedzwa akava murwi wamatombo. Vanhu vawo, vakapedzwa simba, vakavhundutswa uye vakanyadziswa. Vakafanana nembesa dziri muminda, samabukirwa omuriwo mutete akasvibira, souswa huri pamusoro pemba, hwakatsva husati hwakura. “ ‘Asi ndinoziva paunogara, uye kwaunobva nokwaunoenda, uye kuti wakanditsamwira sei. Nokuti wakanditsamwira uye kuzvikudza kwako kwasvika munzeve dzangu, ndichaisa chiredzo changu mumhino dzako, nematomhu angu mumuromo mako, uye ndichakuita kuti udzokere nenzira yawakauya nayo.’ “Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, iwe Hezekia: “Gore rino uchadya zvinongomera zvoga, uye mugore rechipiri zvinobva muna izvozvo. Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa, mudyare mizambiringa uye mugodya michero yawo. Uyezve vakasara veimba yaJudha vachadzika midzi pasi vagobereka michero pamusoro. Nokuti muJerusarema muchabuda vakasara, uye muGomo reZioni muchabuda chikwata chavachapunyuka. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita. “Naizvozvo, zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria: “Haazopindi muguta iri kana kupfura museve pano. Haangauyi mberi kwaro nenhoo, kana kurikomberedza negomo revhu; Nenzira yaakauya nayo achadzokera, haazopindi muguta rino, ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa, nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.” Usiku ihwohwo mutumwa waJehovha akaenda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu mumusasa wavaAsiria. Vanhu pavakati vachimuka mangwana acho, wanei heyo mitumbi yavakafa! Saka Senakeribhi mambo weAsiria akaparadza musasa akadzokera kuNinevhe akandogarako. Rimwe zuva, paakanga achinamata mutemberi yamwari wake Nisiroki, vanakomana vake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mumazuva iwayo Hezekia akarwara zvokuda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzira imba yako, nokuti uchafa, hausi kuzorarama.” Hezekia akatendeukira kumadziro uye akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, rangarirai kuti ndakafamba sei pamberi penyu nokutendeka uye nomwoyo wose uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema zvikuru. Isaya asati abva paruvanze rwapakati, shoko raJehovha rakauya kwaari richiti, “Dzokera undoudza Hezekia, mutungamiri wavanhu vangu kuti, “Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichakuporesa. Nezuva retatu kubva zvino uchakwira kutemberi yaJehovha. Ndichawedzera paupenyu hwako makore gumi namashanu. Uye ndichakurwira iwe neguta rino. Ndicharwira guta iri kubva muruoko rwamambo weAsiria nokuda kwangu uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.’ ” Ipapo Isaya akati, “Gadzirai bundu ramaonde.” Vakaita saizvozvo vakariisa pamota, uye akapora. Hezekia akanga abvunza Isaya achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti Jehovha achandiporesa uye kuti ndichakwira kutemberi yaJehovha pazuva retatu kubva zvino?” Isaya akapindura akati, “Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvaavimbisa: Ko, ungada kuti mumvuri uende nhambwe gumi mberi here kana kudzoka mushure nhambwe gumi?” Hezekia akati, “Zvakareruka kuti mumvuri uende mberi nhambwe gumi. Saka ngaudzoke nhambwe gumi mushure.” Ipapo muprofita Isaya akadana kuna Jehovha, Jehovha akadzorera mumvuri shure nhambwe gumi pamanera aAhazia. Panguva iyo yaMerodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi akatumira tsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara kwaHezekia. Hezekia akagamuchira nhume akadziratidza zvose zvakanga zviri mumatura rake, sirivha negoridhe, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, nedura rezvombo nezvose zvaiwanikwa pakati pepfuma yake. Hezekia haana chaasina kuvaratidza mumuzinda make kana muushe hwake hwose. Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akamubvunza akati, “Zvanzi kudini navarume avo, uye vabvepi?” Hezekia akapindura akati, “Vabva kunyika iri kure. Vabva kuBhabhironi.” Muprofita akamubvunza akati, “Chii chavaona mumuzinda mako?” Hezekia akapindura akati, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chinhu chiri pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.” Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Chinzwa shoko raJehovha: Zvirokwazvo nguva ichasvika yokuti zvose zviri mumuzinda mako, nezvose zvakaunganidzwa nababa vako kusvikira pazuva ranhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha. Uye vamwe vavanakomana vako, venyama yako chaivo neropa rako, vauchabereka, vachatorwa kubva kwauri, uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.” Hezekia akapindura akati, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafungawo akati, “Hakuchavi here norugare nokudzivirirwa munguva youpenyu hwangu?” Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaHezekia, nezvose zvaakaita uye namavakiro aakaita dziva nomugero waakauyisa nawo mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Hezekia akazorora namadzibaba ake. Manase mwanakomana wake akamutevera paumambo. Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu. Zita ramai vake rainzi Hefizibha. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevera zvinonyangadza zvendudzi dzakadzingwa pamberi pavaIsraeri naJehovha. Akavakazve matunhu akakwirira akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; uye akavaka aritari dzaBhaari akaita danda raAshera, sezvakanga zvaitwa naAhabhu mambo weIsraeri. Akapfugamira nyeredzi dzose dzedenga akadzinamata. Akavaka aritari mutemberi yaJehovha, makanga manzi naJehovha, “Ndichaisa zita rangu muJerusarema.” Muzvivanze zvose zviri zviviri zvetemberi yaJehovha, akavakira nyeredzi dzose dzokudenga aritari. Akabayira mwanakomana wake mumoto, akaita uroyi nokuvuka, akabvunza masvikiro navavuki. Akaita zvakaipa zvakawanda pamberi paJehovha, akamutsa hasha dzake. Akatora mufananidzo waAshera wakavezwa waakanga aita akauisa mutemberi, yakanga yanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi iyi nomuJerusarema, mandakasarudza pakati pamarudzi ose aIsraeri, ndichaisamo Zita rangu nokusingaperi. Handichaitizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzidzungaire kubva munyika yandakapa madzitateguru avo, kana vakangochenjera chete kuita zvose zvandakavarayira uye vakachengeta Murayiro wose wavakapiwa nomuranda wangu Mozisi.” Asi vanhu havana kuteerera. Manase akavatsausa, zvokuti vakanyanya kuita zvakaipa kupfuura dzimwe ndudzi dzakaparadzwa pamberi pavaIsraeri naJehovha. Jehovha akataura kubudikidza navaranda vake ivo vaprofita akati, “Manase mambo weJudha aita zvivi zvinonyangadza izvi. Aita zvakaipa zvakawanda kupfuura vaAmori vakamutangira uye atungamirira Judha muzvivi nezvifananidzo zvake. Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndichauyisa dambudziko pamusoro peJerusarema neJudha zvokuti nzeve dzomumwe nomumwe achanzwa nezvazvo dzichaunga. Ndichatambanudzira kuJerusarema tambo yokuyeresa yandakayera nayo Samaria nerwodzi rwandakashandisa kuyera narwo imba yaAhabhu. Ndichapukuta Jerusarema somunhu anonopukuta ndiro, anoipukuta uye anogoitsindikira. Ndichafuratira vakasara venhaka yangu uye ndichavapa kuvavengi vavo. Vachabirwa uye vachapambwa navavengi vavo, nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu vakanditsamwisa kubva pazuva rakabuda madzitateguru avo kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi.” Pamusoro pezvo, Manase akateura ropa risina mhosva rakawanda zvokuti akazadza Jerusarema kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, zvisiri izvozvo chete, asi nezvivi zvaakaita kuti Judha iite, zvokuti vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaManase, nezvose zvaakaita, pamwe chete nechivi chaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mubindu romumuzinda wake, bindu raUza. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo. Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri. Zita ramai vake rainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi; akanga achibva kuJotibha. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Manase baba vake. Akafamba munzira dzose dzababa vake; akanamata zvifananidzo zvakanga zvanamatwa nababa vake, akazvipfugamira. Akafuratira Jehovha, Mwari wamadzibaba ake, haana kufamba munzira yaJehovha. Vabati vaAmoni vakamumukira vakauraya mambo mumuzinda wake. Ipapo vanhu venyika vakauraya vose vakanga vamukira Mambo Amoni, vakagadza mwanakomana wake Josia kuti ave mambo panzvimbo yake. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaAmoni, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Akavigwa muguva rake mubindu raUza. Josia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Josia akanga ava namakore masere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe. Zita ramai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya; aibva kuBhozikati. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha uye akafamba munzira dzose dzababa vake Dhavhidhi, akasatsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Mugore regumi namasere rokutonga kwake, Mambo Josia akatuma munyori, Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kutemberi yaJehovha. Akati kwaari, “Enda kuna Hirikia muprista mukuru umuudze kuti averenge mari yakauyiswa mutemberi yaJehovha, iya yakaunganidzwa navarindi vomukova ichibva kuvanhu. Uite kuti vaipe kuvarume vakagadzwa kuti vatarire basa rapatemberi. Uye varume ava vanofanira kuripa vabati vanogadzira temberi yaJehovha, vavezi, navavaki navavezi vamatombo. Uyezve uite kuti vatenge matanda namatombo akavezwa kuti vagadzirise temberi. Asi havafaniri kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti ivo vakatendeka pakubata kwavo.” Hirikia muprista mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurayiro mutemberi yaJehovha.” Akaripa kuna Shafani, uyo akariverenga. Ipapo Shafani munyori akaenda kuna mambo akandomuzivisa kuti: “Vabati venyu varipa mari iya yakanga iri mutemberi yaJehovha vakaipa kuvashandi navatariri vapatemberi.” Ipapo Shafani munyori akazivisa mambo achiti, “Hirikia muprista andipa bhuku.” Uye Shafani akariverenga pamberi pamambo. Mambo akati anzwa mashoko eBhuku roMurayiro, akabvarura nguo dzake. Akarayira Hirikia muprista, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo achiti, “Endai munondibvunzirawo Jehovha, ini navanhu ava, uye navanhu vose veJudha, pamusoro pezvakanyorwa mubhuku rakawanikwa iri. Nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru nokuda kwamadzibaba edu asina kuteerera mashoko ebhuku iri; havana kuita zvose zvakafanira zvakanyorwa pamusoro pedu.” Hirikia muprista, naAhikami, naAkibhori, naShafani naAsaya vakaenda kundotaura naHuridha muprofitakadzi, akanga ari mukadzi waSharumi mwanakomana waTikivha, mwanakomana waHarihasi, muchengeti wenguo. Aigara muJerusarema, muDunhu reChipiri. Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udzai murume akutumai kwandiri kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichauyisa dambudziko pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, zvichienderana nezvose zvakanyorwa mubhuku rakaverengwa namambo weJudha. Nokuti vakandirasa, vakapisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari, vakanditsamwisa nokuda kwezvifananidzo zvose zvavakaita namaoko avo, kutsamwa kwangu kuchapfuta pamusoro penzvimbo ino uye hakungadzimwi.’ Udzai mambo weJudha, akutumai kuzobvunza Jehovha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pamashoko amakanzwa: Nokuti mwoyo wako wakanga uri munyoro uye ukazvininipisa pamberi paJehovha pawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, kuti vachatukwa uye kuti vachaitwa dongo, uye nokuti wakabvarura nguo dzako ukachema pamberi pangu, ndakunzwa, ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo ndichakurongedza kumadzibaba ako, uye uchavigwa murugare. Meso ako haachazooni matambudziko ose andichauyisa panzvimbo ino.” Naizvozvo vakaendesa mhinduro yake kuna mambo. Ipapo mambo akaunganidza vakuru vose veJudha neJerusarema pamwe chete. Akakwidza achienda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, navanhu veJerusarema, vaprista navaprofita, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha. Mambo akamira pambiru akavandudza sungano pamberi paJehovha, kuti atevere Jehovha uye achengete zvaakarayira, nezvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose, nomweya wake wose nokudaro achisimbisa mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri. Ipapo vanhu vose vakazvipira kusungano. Zvino mambo akarayira Hirikia muprista mukuru, navaprista vaimutevera paukuru navarindi vemikova kuti vabvise mutemberi yaJehovha zvose zvakanga zvaitirwa Bhaari naAshera nenyeredzi dzose dzokudenga. Akazvipisira kunze kweJerusarema muminda yoMupata weKidhironi, akaendesa madota azvo kuBheteri. Akabvisa vaprista vezvifananidzo vakanga vagadzwa namadzimambo eJudha kuti vapisire zvinonhuwira pamatunhu akakwirira amaguta eJudha napamusoro penzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, vaya vaipisira zvinonhuwira kuna Bhaari, nokuzuva nomwedzi nokunyeredzi dzose dzokudenga. Akabvisa danda raAshera mutemberi yaJehovha akariisa kuMupata weKidhironi kunze kweJerusarema akaripisirako. Akarikuya rikava madota, akaparadzira madota acho pamusoro pamarinda avanhuwo zvavo. Akaputsawo dzimba dzezvifeve zvavarume zvapatemberi dzaiva mutemberi yaJehovha mairukira vakadzi machira aAshera. Josia akabudisa vaprista vose vaibva mumaguta eJudha akashatisa matunhu akakwirira, kubva kuGebha kusvikira kuBheerishebha, kwaipisirwa zvinonhuwira navaprista. Akaputsa matunhu akakwirira apamasuo apamukova weSuo raJoshua, mutongi weguta, raiva kuruboshwe rwesuo reguta. Kunyange zvazvo vaprista vamatunhu akakwirira vakanga vasingashumiri paaritari yaJehovha muJerusarema, vakadya zvingwa zvisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo vaprista. Akashatisa Tofeti iri muMupata weBheni Hinomi, kuitira kuti pasava nomunhu angapashandisa kubayira mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto kuna Moreki. Akabvisa pasuo retemberi yaJehovha mabhiza akanga akumikidzwa kuzuva namadzimambo eJudha, akanga ari muchivanze pedyo nekamuri romubati ainzi Natani-Mereki. Ipapo Josia akapisa ngoro dzakanga dzakakumikidzwa kuzuva. Akaputsira pasi aritari dzakanga dzavakwa namadzimambo eJudha pamusoro pedenga, pedyo nekamuri rapamusoro raAhazia, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muzvivanze zviviri zvetemberi yaJehovha. Akadzibvisapo, akadziputsaputsa uye akakanda marara acho muMupata weKidhironi. Mambo akashatisawo matunhu akakwirira akanga ari kumabvazuva kweJerusarema nechezasi kweChikomo choUori, izvo zvakanga zvavakwa naSoromoni mambo weIsraeri achivakira Ashitoreti mwari anonyangadza wavaSidhoni naKemoshi mwari anonyangadza wavaMoabhu, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni. Josia akaputsa-putsa shongwe dzamatombo vakatema matanda aAshera uye akafukidza nzvimbo dzacho namapfupa avanhu. Pamusoro paizvozvo, akaparadza aritari paBheteri nenzvimbo yakakwirira yakaitwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uyo akaita kuti Israeri itadze, kunyange aritari iyoyo nenzvimbo yakakwirira akazviputsa. Akapisa nzvimbo yakakwirira akaikuya kuita upfu, uye akapisawo danda raAshera. Ipapo Josia akatariratarira uye paakaona makuva akanga aripo pamusoro pechikomo, akarayira kuti mapfupa abviswe maari uye apiswe paaritari kuti aishatise aisvibise, maererano neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari akaprofita zvinhu izvi. Mambo akabvunza akati, “Ko, shongwe yeguva yandinoona iyo ndeyaani?” Varume vomuguta vakati, “Ndiyo inoratidza rinda romunhu waMwari akabva kuJudha akaprofita pamusoro pearitari yeBheteri nezvinhu izvi zvamaita kwairi.” Iye akati, “Regai azorore. Ngakurege kuva nomunhu anokanganisa mapfupa ake.” Naizvozvo vakarega mapfupa ake pamwe nemuprofita akanga abva kuSamaria. Josia akaita zvimwe chetezvo sezvaakanga aita paBheteri akabvisa uye akashatisa temberi dzose dzapamatunhu akakwirira dzakanga dzavakwa namadzimambo eIsraeri mumaguta eSamaria, akanga atsamwisa Jehovha, Josia akauraya vaprista vose vokumatunhu akakwirira pamusoro pearitari uye akapisirapo mapfupa avanhu. Ipapo akabva adzokera kuJerusarema. Mambo akarayira vanhu vose akati, “Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika sezvazvakanyorwa muBhuku iri reSungano.” Hakuna kumbova nepasika yakadai kubvira pamazuva avatongi vakatungamirira Israeri kana pamazuva amadzimambo avaIsraeri, namadzimambo eJudha. Asi mugore regumi namasere raMambo Josia, pasika iyi yakaitirwa Jehovha muJerusarema. Pamusoro paizvozvo, Josia akabvisa masvikiro ose navavuki, navamwari vomudzimu, nezvifananidzo nezvimwe zvose zvinonyangadza zvaionekwa muJudha neJerusarema. Akaita izvi kuti azadzise zvaidikanwa nomurayiro wakanga wakanyorwa mubhuku rakanga rakawanikwa nomuprista Hirikia mutemberi yaJehovha. Hapana kumbova namambo akaita saJosia kuna vakamutangira kana vakamutevera, akatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, uye nesimba rake rose, sezvaakaita achitevera Murayiro wose waMozisi. Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kushanduka pakupisa kwehasha dzake dzinotyisa, dzaipisira Judha nokuda kwezvose zvakaitwa naManase achimutsamwisa. Naizvozvo Jehovha akati, “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu sokubvisa kwandakaita Israeri, uye ndicharamba Jerusarema, guta randakasarudza, netemberi iyi, yandakataura pamusoro payo ndichiti, ‘Zita rangu richagarapo.’ ” Kana zviri zvimwe, zvakaitika pakutonga kwaJosia, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Josia paakanga ari mambo, Faro Neko mambo weIjipiti akaenda kuRwizi Yufuratesi kuti andobatsira mambo weAsiria. Mambo Josia akaenda kundorwisana naye, asi Neko akamuona akamuuraya paMegidho. Varanda vaJosia vakatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho kusvika kuJerusarema vakamuviga muguva rake. Vanhu vomunyika imomo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuzodza uye vakamuita mambo panzvimbo yababa vake. Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri namatatu paakava mambo, akatonga mwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia, vaibva kuRibhina. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake. Faro Neko akamusunga nengetani paRibhira munyika yeHamati kuti asatonga muJerusarema, uye akaisa mutero pamusoro peJudha wamatarenda zanaa esirivha netarendab regoridhe. Faro Neko akagadza Eriakimi mwanakomana waJosia kuti ave mambo panzvimbo yababa vake uye Josia akashandura zita raEriakimi kuti rive Jehoyakimi. Asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti, uye ndiko kwaakafira. Jehoyakimi akapa Faro Neko sirivha negoridhe sezvaakanga areva. Kuti aite izvozvo, akaripisa vanhu vomunyika imomo mutero achitora sirivha negoridhe kubva kuvanhu venyika maererano nezvavakanga vatarirwa. Jehoyakimi akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi nerimwe muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya; vaibva kuRuma. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake. Mumazuva okutonga kwaJehoyakimi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akakunda nyika, Jehoyakimi akava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazoshandura pfungwa dzake akamukira Nebhukadhinezari. Jehovha akatuma vaBhabhironi navaAramu navaMoabhu uye navaAmoni kuti vazorwisa. Akavatuma kunoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha rakataurwa navaranda vake navaprofita. Zvirokwazvo zvinhu izvi zvakaitika kuna Judha sezvazvakarayirwa naJehovha, kuitira kuti avabvise pamberi pake nokuda kwezvivi zvaManase nezvose zvaakaita, zvinosanganisira kuteura ropa risina mhosva. Nokuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kumukanganwira. Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJehoyakimi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Jehoyakimi akazorora namadzibaba ake. Uye Jehoyakini, mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mambo weIjipiti haana kuzobudazve kubva munyika yake nokuti mambo weBhabhironi akanga atora nyika yake yose, kubva kuRwizi rweIjipiti kusvikira kuRwizi Yufuratesi. Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani; vaibva muJerusarema. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake. Panguva iyoyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaenda kuJerusarema vakarikomba, uye Nebhukadhinezari pachake akasvika kuguta, varanda vake pavakanga vakarikomba. Jehoyakini mambo weJudha, namai vake, navaranda vake, namakurukota ake, navabati vake vakazvipira vose kwaari. Mugore regumi namasere rokutonga kwamambo weBhabhironi, akatora Jehoyakini akamuita musungwa. Sezvakanga zvarehwa naJehovha, Nebhukadhinezari akabvisa pfuma yose mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, uye akatora midziyo yose yegoridhe yakanga yaitirwa temberi yaJehovha naSoromoni mambo weJudha. Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi—vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo. Nebhukadhinezari akatora Jehoyakini akamuita nhapwa kuBhabhironi. Akatorawo mai vamambo, navakadzi vake, navabati vake navarume vaitungamirira nyika muJerusarema akavaendesa kuBhabhironi. Mambo weBhabhironi akabudisawo hondo yose yavarume zviuru zvinomwe, vakasimba pakurwa, nechiuru chimwe chete chavarume voumhizha navapfuri vesimbi akavaendesa kuBhabhironi. Akaita Matania babamunini vaJehoyakini, mambo panzvimbo yaJehoyakini uye akashandura zita rake akamutumidza kuti Zedhekia. Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; vaibva kuRibhina. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Jehoyakini. Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake. Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi. Naizvozvo mugore repfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akaenda kundorwisana neJerusarema nehondo yake yose. Akavaka misasa akakomberedza guta uye akavakawo nhare dzakanga dzakarikomberedza. Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe chete raMambo Zedhekia. Pazuva repfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina zvokudya zvavanhu. Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange veBhabhironi vakanga vakakomba guta. Vakatiza vakananga kuArabha, asi hondo yavaBhabhironi yakadzinganisa mambo ikamubatira mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye uye vakapararira. Iye akabatwa. akaendeswa kuna mambo weBhabhironi paRibhira, kwaakandotongwa. Vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake achizviona. Ipapo vakamutushura meso ake, vakamusunga nezvisungo zvamatare vakamutora vakaenda naye kuBhabhironi. Pazuva rechinomwe romwedzi wechishanu, mugore regumi nepfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavachengeti vamambo, muranda wamambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema. Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Akapisa, dzimba dzose dzaikosha. Hondo yose yeBhabhironi yaiva pasi pomukuru wavarindi vamambo yakaputsa masvingo aipoteredza Jerusarema. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi. Asi mukuru wavarindi akasiya vanhu vakanga vari varombo vokupedzisira munyika kuti vashande muminda yemizambiringa nemimwe minda. Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nengoro neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi. Vakatorawo hari, nefoshoro, nezvidzimiso zvemwenje, nemadhishi uye nemidziyo yose yendarira yaishandiswa mutemberi. Mukuru wehondo yavarindi vamambo akatora zvaenga zvezvinonhuwira namadhishi okusasa nawo, nezvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe rakaisvonaka kana sirivha. Ndarira yakabva pambiru mbiri, Gungwa nengoro, zvakanga zvagadzirirwa temberi yaJehovha naSoromoni, zvakanga zvakawanda zvokuti zvaisagona kuyerwa. Mbiru imwe neimwe yaiva yakareba makubhiti gumi namaserea. Musoro wendarira waiva pamusoro pembiru wakanga wakareba makubhiti matatub uye wakanga wakashongedzwa nomumbure uye namatamba endarira akanga akaupoteredza. Imwe mbiru nomumbure wayo yakanga yakadarowo. Mukuru wavarindi akatora Seraya muprista mukuru naZefania muprista aimutevera paukuru navachengeti vomukova vatatu akavaita vasungwa. Pane avo vakanga vasara muguta, akatora mutariri wavarume vokurwa navapi vamazano vamambo vashanu. Akatorawo munyori akanga ari mubati mukuru ainyoresa vanhu venyika uye navamwe vanhu vake vaisvika makumi matanhatu vakawanikwa muguta. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhura. Ipapo paRibhura munyika yeHamati, mambo akarayira kuti vaurayiwe. Saka Judha yakaenda kuutapwa, kure nenyika yayo. Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti atonge vanhu vaakanga asiya muJudha. Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo. Gedharia akaita mhiko kuti avasimbise, ivo navanhu vavo. Akati kwavari, “Musatya vabati vomuBhabhironi. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi zvigokunakirai.” Kunyange zvakadaro, mumwedzi wechinomwe Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, akanga ari weropa roushe, akauya navarume gumi akauraya Gedharia navarume veJudha neveBhabhironi vaiva naye paMizipa. Zvadai, vanhu vose kubva kuvadiki kusvika kuvakuru navakuru vehondo pamwe chete vakatizira kuIjipiti, vachitya vaBhabhironi. Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakatanga Evhiri Merodhaki mambo weBhabhironi kutonga, akasunungura Jehoyakini kubva muusungwa pazuva ramakumi manomwe romwedzi wegumi nemiviri. Akataura zvakanaka kwaari akamupa chigaro chokukudzwa chakapfuura chamamwe madzimambo akanga anaye muBhabhironi. Naizvozvo Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa uye akadya patafura yamambo nguva nenguva pamazuva ose oupenyu hwake. Zuva nezuva mambo akapa Jehoyakini mugove wezuva rimwe nerimwe mazuva ose oupenyu hwake. Adhamu, Seti, Enoshi, Kenani, Maharareri, Jaredhi, Inoki, Metusera, Rameki, Noa. Vanakomana vaNoa vaiva: Shemu, Hamu, naJafeti. Vanakomana vaJafeti vaiva: Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Tubhari, Mesheki naTirasi. Vanakomana vaGomeri vaiva: Ashikenazi, Rifati naTogama. Vanakomana vaJavhani vaiva: Erisha, Tashishi, muKitimi nomuRodhanimi. Vanakomana vaHamu vaiva: Kushi, Miziraimi, Puti naKenani. Vanakomana vaKushi vaiva: Sebha, Havhira, Sabata, Raama naSabhiteka. Vanakomana vaRaama vaiva: Shebha naDedhani. Kushi aiva baba vaNimurodhi; uyo akakura akava murwi mukuru panyika. Miziraimi aiva baba vavaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi, vaPataini, vaKasiruhi (umo makazobvawo vaFiristia) navaKafitori. Kenani aiva baba vaSidhoni dangwe rake, nevaHiti, vaJebhusi vaAmori, vaGirigashi, vaHivhi, vaAriki, vaSini, vaArivhadhi, vaZemari nevaHamati. Vanakomana vaShemu vaiva: Eramu, Ashua, Arifakadhi, Rudhi naAramu. Vanakomana vaAramu vaiva: Uzi, Huri, Geteri naMesheki. Arifakadhi aiva baba vaShera uye aiva baba vaEbheri. Vanakomana vaviri vakaberekerwa Ebheri: mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamurana; munun'una wake ainzi Jokitani. Jokitani aiva baba vaArimodhadhi, Sherefi, Hazarimavheti, Jera, Hadhorami, Uzari, Dhikira, Obhari, Abhimaeri, Shebha, Ofiri, Havhira, naJobhabhi. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani. Shemu, Arifakisadhi, Shera, Ebheri, Peregi, Reu, Serugi, Nahori, Tera naAbhuramu (iye Abhurahama). Vanakomana vaAbhurahama vaiva: Isaka naIshumaeri. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvavo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisani, Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi, naKedhema. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri. Vanakomana vakaberekwa naKetura, murongo waAbhurahama vaiva: Zimirani, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. Vanakomana vaJokishani vaiva: Shebha naDhedhani. Vanakomana vaMidhiani vaiva: Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Ava vose vaiva zvizvarwa zvaKetura. Abhurahama aiva baba vaIsaka. Vanakomana vaIsaka vaiva: Esau naIsraeri. Vanakomana vaSeiri vaiva: Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora. Vana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefa, Gatami, naKenazi; naTimina, vakabereka Amareki. Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza. Vanakomana vaSeiri vaiva: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomami, Timina aiva hanzvadzi yaRotani. Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami. Vanakomana vaZibheoni vaiva: Aya naAna. Mwanakomana waAna ainzi Dhishoni. Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani. Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani. Vanakomana vaDhishani vaiva: Uzi naArani. Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva: Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha. Bhera paakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo. Jobhabhu paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo. Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti. Hadhadhi paakafa Samira aibva kuMasireka akamutevera paumambo. Samira paakafa, Shauri aibva kuRehobhoti parwizi akamutevera paumambo. Shauri paakafa Bhaari Hanani mwanakomana waAkibhoni akamutevera paumambo. Bhaari Hanani paakafa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Pau uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri mwanasikana waMezahabhi. Hadhadhi akafawo. Madzishe eEdhomu aiva: Timina, Arivha, Jeteti Ohoribhama, Era, Pinoni, Kenazi, Temani, Mibhizari, Magidhieri naIrami. Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Zebhuruni, Dhani, Josefa, Benjamini, Nafutari, Gadhi naAsheri. Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani naShera. Vatatu ava akavaberekerwa naShua mudzimai wechiKenani. Eri dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akamuuraya. Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera. Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete. Vanakomana vaPerezi vaiva: Hezironi naHamuri. Vanakomana vaZera vaiva: Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu. Mwanakomana waKarimi aiva: Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa. Mwanakomana waEtani ainzi Azaria. Vanakomana vaHezironi vaiva: Jerameeri, Rami naKarebhu. Rami aiva baba vaAminadhabhi, uye Aminadhabhi aiva baba vaNashoni mutungamiri wavanhu veJudha. Nashoni aiva baba vaSarimoni, Sarimoni ari baba vaBhoazi, Bhoazi aiva baba vaObhedhi uye Obhedhi aiva baba vaJese. Jese aiva baba vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi, wechitatu ainzi Shimea, wechina ainzi Netaneri, wechishanu ainzi Radhai, wechitanhatu ainzi Ozemi uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi. Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri. Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri. Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri Shobhabhi naAridhoni. Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri. Huri aiva baba vaUri uye Uri aiva baba vaBhezareri. Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi. Segubhi aiva baba vaJairi, uyo aitonga maguta makumi maviri namatatu muGireadhi. Asi Geshuri naAramu vakatapa Habhoti Jairi pamwe chete neKenoti namaguta akaripoteredza, maguta makumi matanhatu. Ava vose vaiva vorudzi rwaMakiri baba vaGireadhi. Mushure mokunge Hezironi afira muKarebhu Efurata, Abhija mudzimai waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa. Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva: Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija. Jerameeri akanga ane mumwe mukadzi, zita rake ainzi Atara. Akanga ari amai vaOnami. Vanakomana vaRami dangwe raJerameeri vaiva: Maazi, Jamini naEkeri. Vanakomana vaOnami vaiva: Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva: Nadhabhi naAbhishuri. Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi. Vanakomana vaNadhabhi vaiva: Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana. Mwanakomana waApaimi ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai. Vanakomana vaJadha, munun'una waShamai vaiva: Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana. Vanakomana vaJonatani vaiva: Pereti naZaza. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvorudzi zvaJerameeri. Sheshani aiva asina vanakomana, aiva navanasikana chete. Aiva nomuranda wechiIjipita ainzi Jara. Sheshani akapa mwanasikana wake kuti ave mukadzi womuranda wake. Jara akamuberekera Atai. Atai aiva baba vaNatani, Natani aiva baba vaZabadhi, Zabadhi baba vaEfirari, Efirari baba vaObedhi, Obedhi baba vaJehu, Jehu baba vaAzaria, Azaria baba vaHerezi, Herezi baba vaEreasa, Ereasa baba vaSisimai, Sisimai baba vaSharumi, Sharumi baba vaJekamia, uye Jekamia aiva baba vaErishama. Vanakomana vaKarebhu munun'una waJerameeri vaiva: Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni. Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Kora, Tapuwa, Rekemu naShema. Shema aiva baba vaRahamu, uye Rahamu baba vaJorikeami. Rekemu aiva baba vaShamai. Mwanakomana waShamai ainzi Maoni, uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri. Mumwe murongo waKarebhu ainzi Efa ndiye aiva amai vaHarani, Moza naGazezi. Harani aiva baba vaGazezi. Vanakomana vaJadhai vaiva: Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa naShaafi. Mumwe murongo waKarebhu ainzi Maaka ndiye aiva amai vaShebheri naTirana. Akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana naShevha baba vaMakibhena naGibhea. Mwanasikana waKarebhu ainzi Akisa. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaKarebhu. Vanakomana vaHuri dangwe raEfurata: Shobhari baba vaKiriati Jearimi, Sarima baba vaBheterehema, naHarefi baba vaBheti Gadheri. Zvizvarwa zvaShobhari baba vaKiriati Jearimi zvaiva: Haroe, hafu yavaManahati, uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori. Zvizvarwa zvaSarima zvaiva: Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori, uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi. Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi vaakaberekerwa ari kuHebhuroni: Dangwe rake rainzi Amunoni mwanakomana waAhinoami weJezireeri. Wechipiri ainzi Dhanieri, mwanakomana waAbhigairi weKarimeri; wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri; wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti, wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari uye wechitanhatu Itireami nomukadzi wake Egira. Ava vatanhatu vakaberekerwa Dhavhidhi muHebhuroni umo maakatonga kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu. Dhavhidhi akazotonga muJerusarema kwamakore makumi matatu namatatu uye ava ndivo vana vaakaberekerwa ikoko. Vaiva: Shamua, Shobhabhi, Natani naSoromoni. Ava vana vakaberekwa naBhatishebha mwanasikana waAmieri. Kwaivawo naIbhari, Erisua, Erifereti Noga, Nefegi, Jafia, Erishama, Eriadha naErifereti, vose vaiva vapfumbamwe. Ava vose vaiva vanakomana vaDhavhidhi, tisingaverengi vanakomana vake vaakaita navarongo vake. Uye Tamari aiva hanzvadzi yavo. Mwanakomana waSoromoni ainzi Rehobhoamu, Abhija mwanakomana wake, Asa mwanakomana wake, Jehoshafati mwanakomana wake, Jehoramu mwanakomana wake, Ahazia mwanakomana wake, Joashi mwanakomana wake, Amazia mwanakomana wake, Azaria mwanakomana wake, Jotamu mwanakomana wake, Ahazi mwanakomana wake, Hezekia mwanakomana wake, Manase mwanakomana wake, Amani mwanakomana wake Josia mwanakomana wake. Vanakomana vaJosia vaiva: Johanani dangwe, Jehoyakimi wechipiri, Zedhekia wechitatu naSharumi wechina. Vakatevera Jehoyakimi vaiva: Jehoyakini mwanakomana wake naZedhekia. Zvizvarwa zvaJehoyakini mutapwa zvaiva: Shearitieri mwanakomana wake, Marikirami, Pedhaya, Shenazari, Jekamia, Hoshama naNedhabhia. Vanakomana vaPedhaya vaiva: Zerubhabheri naShimei. Vanakomana vaZerubhabheri vaiva: Meshurami naHanania. Sheromiti aiva hanzvadzi yavo. Kwaivawo navamwe vashanu vaiti: Hashubha, Oheri, Bherekia, Hasadhia naJushabhi-Hesedhi. Zvizvarwa zvaHanania zvaiva: Peratia naJeshaya, navanakomana vaRefaya, vaArinani vaObhadhia navaShekania. Zvizvarwa zvaShekania zvaiva: Shemaya navanakomana vake vaiti: Hatushi, Igari, Bharia, Nearia naShafati, vatanhatu vose pamwe chete. Vanakomana vaNearia vaiva: Erioenai, Hizikia naAzirikamu, vatatu pamwe chete. Vanakomana vaErioenai vaiva: Hodhavhia, Eriashibhi, Peraya, Akubhi, Johanani, Dheraya naAnani, vanomwe pamwe chete. Zvizvarwa zvaJudha zvaiva: Perezi, Hezironi, Karimi, Huri naShobhari. Reaya mwanakomana waShobhari aiva baba vaJahati, uye Jahati ari baba vaAhumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaZorati. Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami: Jezireeri, Ishima naIdhibashi. Hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi. Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaHuri dangwe raEfurata baba vaBheterehema. Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara. Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaashashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara. Vanakomana vaHera vaiva: Zareti, Zonani, Etinani naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni. Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanun'una vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.” Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni uye rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira. Kerubhi, munun'una waShuha aiva baba vaMehiri uyo aiva baba vaEshitoni. Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka. Vanakomana vaKenazi vaiva: Otinieri naSeraya. Vanakomana vaOtinieri vaiva: Hatati naMeonotai. Meonotai aiva baba vaOfira. Seraya aiva baba vaJoabhu, baba vaGeharashimi. Vakapiwa zita iri nokuti vaiva mhizha. Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva: Iru, Era naNaami. Mwanakomana waEra ainzi Kenazi. Vanakomana vaJehareri vaiva: Zifi, Zifa, Tiria naAsareri. Vanakomana vaEzira vaiva: Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni. Mumwe wavakadzi vaMeredhi akavaberekera Miriamu, Shamai naIshibha baba vaEshitemoa. Mukadzi wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutiri baba vaZanoa. Ava ndivo vaiva vana vomwanasikana waFaro ainzi Bhitia akanga aroorwa naMeredhi. Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vaiva: baba vaKeira muGarimi naEshitemoa muMaakati. Vanakomana vaShimoni vaiva: Amunoni, Rina, Bheni, Hanani naTironi. Zvizvarwa zvaIshi zvaiva: Zoheti naBheni Zoheti. Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha vaiva: Eri baba vaReka, Raadha baba vaMaresha nedzimba dzavairuka mucheka wakaisvonaka paBheti Ashibea. Jokimi, varume veKezebha naJoashi naSarafi vaitonga muMoabhu naJashubhi Rehemi. (Zvinyorwa izvi ndezvakare.) Vaiva vaumbi vehari vaigara paNetaimi nepaGedhera; vaigarapo vachishandira mambo. Zvizvarwa zvaSimeoni zvaiva: Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera naShauri; Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake. Zvizvarwa zvaMishima zvaiva: Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake naShimei mwanakomana wake. Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanun'una vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha. Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari, Bhiriha, Ezemi, Toradhi, Bhehieri, Horima, Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri naShaaraimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi. Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimini, Tokeni neAshani, maguta mashanu nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara. Uye vaichengeta zvinyorwa zvenhoroondo yavo. Meshobhabhi, Jamireki, Josha mwanakomana waAmazia, Joere, Jehu mwanakomana waAsieri, uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya, Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya, naZiza mwanakomana waSifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya. Varume vakanyorwa pamusoro namazita avo vaiva vatungamiri vedzimba dzavo. Mhuri dzavo dzakakura kwazvo uye vakaenda kumucheto kweGedhori kurutivi rwokumabvazuva nomupata vachitsvakira makwai avo mafuro. Vakawana mafuro akanaka kwazvo akapfuma, uye nyika yakanaka ine nzvimbo huru ine runyararo norugare. VaHamu ndivo vakanga vachimbogaramo kare. Varume vane mazita akanyorwa vakauya pamazuva aHezekia mambo waJudha. Vakarwisa vaHamu mumatende avo navaMeuniwo vaivapo vakavaparadza zvachose kusvikira nhasi. Ipapo vakazogarapo munzvimbo yavo nokuti paiva namafuro amakwai avo. Uye mazana mashanu avo vaiva vaSimeoni vachitungamirirwa naPeratia, Nearia, Refaya naUzieri, vanakomana vaIshi, vakandorwisa nyika yamakomo yeSeiri. Vakauraya vaAmareki vakanga vasara avo vakanga vapunyuka, uye vakagarapo kusvikira nhasi. Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri. (Ndiye aiva dangwe, asi paakasvibisa nhoo yewaniso yababa vake, kodzero dzoudangwe hwake dzakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri; saka haana kuzoverengerwawo munhoroondo dzamadzitateguru ake maererano nekodzero yokuberekwa kwake. Uye kunyange zvazvo Judha aiva akasimba kwazvo kupfuura vana vababa vake vose, uye kunyange zvazvo mutongi akazobuda maari, kodzero youdangwe yaiva yaJosefa.) Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKarimi. Zvizvarwa zvaJoere zvaiva: Shemaya mwanakomana wake, naMika mwanakomana wake, naReaya mwanakomana wake, naBhaari mwanakomana wake. Uye naBheera mwanakomana wake uyo akatorwa akaiswa muutapwa naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Bheera akanga ari mutungamiri wavaRubheni. Hama dzavo nedzimba dzavo dzakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo dzaiva: Jeyeri aiva Ishe, naZekaria uye Bhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoere. Vakagara munzvimbo yaibva kuAroeri kusvikira kuNebho neBhaari Meoni. Kumabvazuva vakatora nyika kusvikira pamuganhu wegwenga rinosvika kuRwizi Yufuratesi nokuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda muGireadhi. Panguva yokutonga kwaSauro vakarwa naHagiri vakavakunda vakagara mumatende avaHagiri mudunhu rose rokumabvazuva eGireadhi. VaGadhi vakanga vakavakidzana navo muBhashani kusvikira kuSareka: Joere ndiye aiva ishe, Shafami ari wechipiri, kuchizotevera Janai naShafati, muBhashani. Hama dzavo, tichiverenga mhuri dzavo, dzaiva: Mikaeri, Meshurami, Shobha, Jorai, Jakani, Zia naEbheri, vanomwe pamwe chete. Ava ndivo vaiva vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJarowa, mwanakomana Gireadhi, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJadho, mwanakomana waBhuzi. Ahi mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, ndiye aiva mukuru wemhuri yavo. VaGadhi vaigara muGireadhi, muBhashani nomumisha yaro yakaripoteredza, uye nomumafuro ose eSharoni kusvikira kwaanogumira. Izvi zvose zvakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo munguva yokutonga kwaJotamu mambo weJudha naJerobhoamu mambo weIsraeri. VaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase vaiva navarume zviuru makumi mana nezvina namazana manomwe namakumi matanhatu vakanga vakagadzirira kundorwa, varume vakasimba vaigona kushandisa nhoo nomunondo, uye vaigona kushandisa uta, uye vakanga vakadzidziswa kurwa. Vakarwa navaHagiri, vaJeturi, vaNafishi navaNodhabhi. Vakabatsirwa pakurwa navo, uye Mwari akaisa vaHagiri, navose vaiva kurutivi rwavo, mumaoko avo, nokuti vakanga vachema kwaari vari pakurwa. Iye akapindura minyengetero yavo nokuti vakavimba naye. Vakapamba zvipfuwo zvavaHagiri zvaiti: ngamera zviuru makumi mashanu zvengamera, zviuru mazana maviri ane makumi mashanu zvamakwai nezviuru zviviri zvembongoro. Vakatapawo zviuru zana zvavanhu, uye vamwe vazhinji vakaurayiwa nokuti kurwa uku kwaiva kwaMwari. Uye vakagara munyika iyoyi kusvikira pakutapwa. Vanhu verudzi rwehafu rwaManase vaiva vazhinji vakagara munyika yaibva kuBhashani ichisvika kuBhari Hemoni ndiko kuSeniri (Gomo reHemoni). Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavo: Eferi, Erieri, Azireri, Jeremia, Hadhavhia naJadhieri. Ava vaiva varwi vakashinga, varume vembiri uye vari vakuru vedzimba dzavo. Asi vakanga vasina kutendeka kuna Mwari wamadzibaba avo, vakaita ufeve hwokunamata vamwari vavanhu venyika iyi avo vakanga vaparadzwa naMwari pamberi pavo. Saka Mwari waIsraeri akamutsa mweya waPuri mambo weAsiria iwo mweya waTigirati-Pireseri mambo weAsiria, akatapa vaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase. Akavatora akandovaisa kuHarahi, Habhori, Hara nokurwizi Gozani uko kwavari kusvikira zuva ranhasi. Vanakomana vaRevhi vaiva Gerishoni, Kohati naMerari. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri. Vana vaAmiramu vaiva: Aroni, Mozisi naMiriamu. Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari. Ereazari aiva baba vaFinehasi, Finehasi baba vaAbhishua. Abhishua baba vaBhuki, Bhuki baba vaUzi, Uzi baba vaZerahia, Zerahia baba vaMerayoti, Merayoti baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi, Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaAhimaazi, Ahimaazi baba vaAzaria, Azaria baba vaJohanani, Johanani baba vaAzaria (ndiye aibata basa somuprista mutemberi yakavakwa naSoromoni muJerusarema). Azaria baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi. Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaSharumi, Sharumi baba vaHirikia, Hirikia baba vaAzaria, Azaria baba vaSeraya uye Seraya baba vaJehozadhaki. Jehozadhaki akadzingwa apo Jehovha akaendesa Judha neJerusarema kuutapwa noruoko rwaNebhukadhinezari. Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari. Aya ndiwo mazita avanakomana vaGerishoni: Ribhini naShimei. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri. Vanakomana vaMerari vaiva: Mairi naMushi. Idzi ndidzo dzimba dzavaRevhi dzakanyorwa maererano namazita amadzibaba avo: VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, Jehati mwanakomana wake naZima mwanakomana wake, Joa mwanakomana wake Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake naJaterai mwanakomana wake. Zvizvarwa zvaKohati zvaiva: Aminadhabhi mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake, Erikana mwanakomana wake, naEbhiasafi mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake, Uzia mwanakomana wake naShauri mwanakomana wake. Zvizvarwa zvaErikana zvaiva: Amasai, Ahimoti, Erikana mwanakomana wake Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake, naEriabhi mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake, naSamueri mwanakomana wake, Vanakomana vaSamueri vaiva: Joere dangwe rake naAbhija mwanakomana wake wechipiri. Zvizvarwa zvaMerari zvaiva: Mari, Ribhini mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake, Shimea mwanakomana wake, Hagia mwanakomana wake naAsaya mwanakomana wake. Ava ndivo varume vakagadzwa naDhavhidhi kuti vafambise basa rokuimba muimba yaJehovha mushure mokunge areka yawana pokuzorora imomo. Vaishumira nokuimba pamberi petabhenakeri, muTende Rokusangana, kusvikira Soromoni avaka temberi yaJehovha muJerusarema. Vaibata basa ravo maererano nemitemo yavakanga vakadzikirwa. Ava ndivo varume vaibata basa pamwe chete navanakomana vavo: kubva kuvaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoere, mwanakomana waSamueri, mwanakomana waErikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa, mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoere, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefania. mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi; mwanakomana waKora, mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi mwanakomana waIsraeri. Uye mubatsiri waHemani pabasa ainzi Asafi akanga amire kurudyi rwake: Asafi mwanakomana waBherekia mwanakomana waShimea, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana Bhaaseya, mwanakomana waMarikia, mwanakomana waEtini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimei, mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishoni, mwanakomana waRevhi; uye kubva kuvabatsiri vavo, vaMerari, kuruboshwe rwake, vaiva: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri, x mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi. Vamwe vavo vaRevhi vakapiwa mamwe mabasa ose omutabhenakeri, imba yaMwari. Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nazvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni: Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake, Abhishua mwanakomana wake Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake, Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake, Zadhoki mwanakomana wake naAhimazi mwanakomana wake. Idzi ndidzo dzakanga dziri nzvimbo dzavo dzavakagoverwa dzokugara senyika yavo (dzakapiwa kuzvizvarwa zvaAroni, avo vaibva kuimba yaKohati, nokuti mugove wokutanga wakanga uri wavo). Vakapiwa Hebhuroni iri muJudha namafuro ose akaipoteredza. Asi minda nemisha yose yakapoteredza guta iri yakapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune. Saka zvizvarwa zvaAroni zvakapiwa Hebhuroni (Guta routiziro) uye Ribhina, Jatiri, Eshitemoa, Hireni, Debhiri, Ashani, Juta, Bheti Shemeshi pamwe chete namafuro awo. Uye kubva kurudzi rwaBenjamini vakapiwa Gibheoni, Gebha Aremeti neAnatoti pamwe chete namafuro awo. Maguta aya, akagoverwa pakati pedzimba dzavaKohati akanga ari gumi namatatu pamwe chete. Zvimwe zvizvarwa zvaKohati zvakagoverwa maguta gumi kubva kudzimba dzorudzi rwehafu rwaManase. Zvizvarwa zvaGerishoni imba neimba zvakagoverwawo maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aIsakari, Asheri naNafutari uye nokubva kuchikamu chorudzi rwaManase chiri muBhashani. Zvizvarwa zvaMerari, imba neimba zvakagoverwa maguta gumi namaviri kubva kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni. Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya namafuro awo. Kubva kurudzi rwaJudha, rwaSimeoni norwaBenjamini vakagoverwa maguta ayo akanga arehwa namazita. Vamwe vedzimba dzaKohati vakapiwa kuti ive nyika yavo, maguta kubva kurudzi rwaEfuremu. Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa Shekemu (guta routiziro) neGezeri, neJokimeami, neBheti Horoni, Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo. Uye kubva kurudzi rwehafu rwaManase vaIsraeri vakapawo Aneri neBhireamu pamwe chete namafuro awo kuvaKohati vakanga vasara. VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera: Kubva kuimba yorudzi rwehafu rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo: kubva kurudzi rwaIsakari vakagamuchira Kedheshi neDhabherati, Ramoti, neAnemi, pamwe chete namafuro awo; kubva kurudzi rwaAsheri vakagamuchira Mashari, neAbhidhoni, Hukoki neRehobhi pamwe chete namafuro awo; uye kubva kurudzi rwaNafutari vakagamuchira Kedheshi muGarirea, neHamoni neKirataimi pamwe chete namafuro awo. VaMerari (vaRevhi vose vakanga vasara) vakagamuchira zvinotevera: Kubva kurudzi rwaZebhuruni vakagamuchira Jokineami, Karita Rimono, neTabhori pamwe chete namafuro awo; kubva kurudzi rwaRubheni mhiri kworwizi Jorodhani kumabvazuva kweJeriko vakagamuchirwawo Bhezeri murenje, Jaza, Kedhemoti neMefaati pamwe chete namafuro awo; uye kubva kurudzi rwaGadhi vakagamuchira Ramoti muGireadhi, Mahanaimi, Heshibhoni neJazeri pamwe chete namafuro awo. Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Puwa, Jashubhi, naShimironi; vose vaiva vana. Vanakomana vaTora vaiva: Uzi, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibhisami naSamueri, vakuru vedzimba dzavo. Pamazuva okutonga kwaDhavhidhi, zvizvarwa zvaTora zvakaverengwa savarwi munhoroondo yavo zvakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu. Mwanakomana waUzi aiva: Izirahia. Vanakomana vaIzirahia vaiva: Mikaeri, Obhadhia, Joere naIshia. Vose vari vashanu vaiva madzishe. Munhoroondo yemhuri yavo, vakanga vaine varume zviuru makumi matatu nezvitanhatu vakanga vakagadzirira kurwa, nokuti vakanga vaine vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji. Hama dzavo vakanga vari varume vokurwa vari vedzimba dzose dzaIsakari, sokunyorwa kwazvakanga zvakaita munhoroondo yavo, vose vaisvika zviuru makumi masere nezvinomwe. Vanakomana vaBenjamini vatatu vaiva: Bhera, Bhekeri, naJedhiaeri. Vanakomana vaBhera vaiva: Ezibhoni, Uzi, Uzieri, Jerimoti naIri, vese vakuru vedzimba vashanu pamwe chete. Munhoroondo yavo varwi vakanyorwa vaiva varume zviuru makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana. Vanakomana vaBhekeri vaiva: Zemira, Joashi, Eriezeri, Erioenai, Omiri, Jeremoti, Abhija, Anatoti naAremeti. Vose ava vaiva vakomana vaBhekeri. Munhoroondo yavo, vakuru vemhuri vakanyorwa uye vari varwi vaiva zviuru makumi maviri namazana maviri. Mwanakomana waJedhiaeri ainzi Bhirihani. Vanakomana vaBhirihani vaiva: Jehushi, Benjamini, Ehudhi, Kenana, Zetani, Tashishi naAhishahari. Vanakomana ava vose vaJedhiaeri vaiva vakuru vemhuri. Paiva nezviuru gumi nezvinomwe namazana maviri avarume vokurwa vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo. VaShupi navaHupi vaiva zvizvarwa zvaIri, uye vaHushi vaiva zvizvarwa zvaAheri. Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi, zvizvarwa zvaBhiriha. Zvizvarwa zvaManase zvaiva: Asirieri chizvarwa chake kubudikidza nomurongo wake muAramu. Iye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi. Makiri akatora mukadzi kubva pakati pavaHupi navaShupi. Zita rehanzvadzi yake rainzi Maaka. Chimwezve chizvarwa chainzi Zerofehadhi, akanga aine vanasikana chete. Mukadzi waMakiri Maaka akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Pereshi. Munun'una wake ainzi Shereshi, uye vanakomana vake vaiva Uramu naRakemu. Mwanakomana waUramu ainzi Bhedhani. Ava ndivo vaiva vanakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase. Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, Abhiezeri naMara. Vanakomana vaShimidha vaiva: Ahiani, Shekemu, Riki naAniami. Zvizvarwa zvaEfuremu zvaiva: Shutera, Bheredhi mwanakomana wake, Tahati mwanakomana wake, Ereadha mwanakomana wake, Tahati mwanakomana wake, Zabhadhi mwanakomana wake naShutera mwanakomana wake. Ezeri naEreadha vakaurayiwa navarume veGati vakanga vakaberekerwa munyika iyi pavakaburikira kundopamba zvipfuwo zvavo. Baba wavo Efuremu akavachema kwamazuva mazhinji uye hama dzake dzakauya kuzomunyaradza. Ipapo akarara nomukadzi wake zvakare akava nemimba uye akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Bheria nokuti mumhuri yake makanga maita dambudziko. Mwanasikana wake ainzi Sheera, uye akavaka Bheti Horoni, yeZasi neyokumusoro uyewo neUzeni Sheera. Refa aiva mwanakomana wake, Reshefi mwanakomana wake, Tera mwanakomana wake, Tahani mwanakomana wake, Radhani mwanakomana wake, Amihudhi mwanakomana wake, Erishama mwanakomana wake, Nuni mwanakomana wake naJoshua mwanakomana wake. Nyika dzavo nemisha yavo zvaisanganisira Bheteri nemisha yose yakaripoteredza, Naarani kumabvazuva, Gezeri nemisha yaro, kumavirira neShekemu nemisha yaro kuenda kunosvika kuAya nemisha yaro. Pamiganhu yaManase paiva neBheti Shani, Taanaki, Megidho neDhori pamwe chete nemisha yawo. Zvizvarwa zvaJosefa mwanakomana waIsraeri zvaigara mumaguta aya. Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yainzi Sera. Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri, uyo aiva baba vaBhirizaiti. Hebheri aiva baba vaJafireti, Shomeri naHotami uye nehanzvadzi yavo Shua. Vanakomana vaJafireti vaiva: Pasaki, Bhimari naAshivhati. Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafireti. Vanakomana vaShomeri vaiva: Ahi, Roga, Hubhai naAramu. Vanakomana vomunun'una wake Heremu vaiva: Zofa, Imina, Shereshi, naAmari. Vanakomana vaZofa vaiva: Sua, Haneferi, Shuari, Bheri, Imira, Bhezeri, Hodhi, Shama Shirisha, Itirani, naBheera. Vanakomana vaJeteri vaiva: Jefune, Pisipa naAra. Vanakomana vaUra vaiva: Ara, Hanieri, naRizia. Vose ava vaiva zvizvarwa zvaAsheri vakuru vemhuri yavo, varume vakanga vakasarudzika, varwi vakanga vakashinga uye vari vatungamiri vakasanangurika. Uwandu hwavarume vakanga vakagadzirira kurwa sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo hwaiva zviuru makumi maviri nezvitanhatu. Benjamini aiva baba vaBhera dangwe rake, Ashibheri mwanakomana wechipiri, Ahara wechitatu, Noha wechina naRafa wechishanu. Vanakomana vaBhera vaiva: Adha, Gera, Abhihudhi, Abhishua, Naamani Ahoa, Gera, Shefufani naHurami. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati: Naamani, Ahifa naGera, uyo akavadzinga uya aiva baba vaUza naArihudhi. Vanakomana vakaberekerwa Shaharaimi muMoabhu mushure mokunge arambana navakadzi vake Hushini naBhaara. Nomukadzi wake Hodheshi akabereka Johabhi, Zibhia, Mesha Marikami, Jeuzi, Sakia naMirima. Ava ndivo vaiva vanakomana vake, vakuru vemhuri. NaHushimi akabereka Abhitubhi naEripaari. Vanakomana vaEripaari vaiva: Ebheri, Mishamu, Shemedhi (uyo akavaka Ono neRodhi pamwe chete nemisha yakaapoteredza) naBheria naShema, avo vakanga vari vakuru vemhuri dzaavo vaigara muAijaroni uye vakadzinga vagari veGati. Ahiyo, Shashaki, Jeremoti, Zebhabhia, Aradhi, Edheri, Mikaeri, Ishipa naJoha vaiva vanakomana vaBeria. Zebhadhia, Meshurami, Hiziki, Hebheri, Ishimerai, Iziria naJobhabhi vaiva vanakomana vaEripaari. Jakimi, Zikiri, Zabhidhi, Erienai, Ziretai, Erieri, Adhaya, Bheraya naShimirati vaiva vanakomana vaShimei. Ishipani, Ebheri, Erieri, Abhidhoni, Zikiri, Hanani, Hanania, Eramu Anitotiya, Ifidheya naPenueri vaiva vanakomana vaShashaki. Shamisherai, Sheharia, Ataria, Jaareshia, Eria, naZikiri vaiva vanakomana vaJerohamu. Vose ava vaiva vakuru vemhuri, vari madzishe sezvazvakanyorwa munhoroondo dzavo. Uye vaigara muJerusarema. Jeyeri, baba vaGibheoni vaigara muGibheoni. Zita romukadzi wake rainzi Maaka, uye mwanakomana wake wedangwe ainzi Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi, Gedhori, Ahio, Zekeri, uye Mikiroti, uyo aiva baba vaShimea. Ivo vaigarawo pedyo nehama dzavo muJerusarema. Neri aiva baba vaKishi, Kishi aiva baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abinadhabhi, naEshibhaari. Mwanakomana waJonatani ainzi MeriBhaari uyo aiva baba vaMika. Vanakomana vaMika vaiva: Pitoni, Mereki Tarea, naAhazi. Ahazi aiva baba vaJehoadha, Jehoadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri uye Zimiri aiva baba vaMoza. Moza aiva baba vaBhinea Rafa aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake. Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo: Arizakami, Bhokeru, Ishumaeri, Shearia, Obhadhia naHanani. Vose ava vaiva vanakomana vaAzeri. Vanakomana vomunun'una wake Esheki vaiva: Uramu dangwe rake, Jeushi mwanakomana wake wechipiri naErifereti wechitatu. Vanakomana vaUramu vaiva varwi voumhare vaigona kushandisa uta. Vaiva navanakomana navazukuru vazhinji vaisvika zana namakumi mashanu pamwe chete. Vose ava vaiva zvizvarwa zvaBhenjamini. VaIsraeri vose vakanyorwa munhoroondo dzakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri. VaJudha vakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi nokuda kwokusatendeka kwavo. Zvino vakatanga kugara panyika yavo mumaguta avo vaiva vamwe vaIsraeri, vaprista, vaRevhi navaranda vomutemberi. Avo vaibva kuJudha, nevaibva kwaBhenjamini nevaibva kwaEfuremu naManase vaigara muJerusarema vaiva: Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmiri, mwanakomana waImiri, mwanakomana waBhani, chizvarwa chaPerezi mwanakomana waJudha. VaShiro: Asaya uyo aiva dangwe navanakomana vake. VaZerahi: Jeueri. Vanhu vaibva kuJudha vaiva mazana matanhatu namakumi mapfumbamwe. VaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waHodhavhia, mwanakomana waHasenua; Ibhineya mwanakomana waJerohami; Era mwanakomana waUzi, mwanakomana waMikiri naMeshurami mwanakomana waShefatia, mwanakomana waReueri, mwanakomana waIbhiniya. Vanhu vorudzi rwaBhenjamini sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo, vaisvika mazana mapfumbamwe namakumi mashanu navatanhatu. Varume ava vose vakanga vari vakuru vemhuri. Vaprista: Jedhaya, naJehoyaribhi naJakini; Azaria mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati mukuru muimba yaMwari. Adhaya mwanakomana waJerohami, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikia, naMaasai mwanakomana waAdhieri, mwanakomana waJahazera, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waMeshiremiti, mwanakomana waIma. Vaprista, vaiva vakuru vemhuri, vaisvika chiuru namazana manomwe namakumi matanhatu. Vose vaiva varume vaikwanisa uye vaibata basa rokushumira muimba yaMwari. VaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, muMerari; Bhakibhaka, Hereshi, Garari naMatania mwanakomana waMika, mwanakomana waZikiri, mwanakomana waAsafi; Obhadhia mwanakomana waShemaya, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni; naBherekia mwanakomana waAsa, mwanakomana waErikana, vaigara mumisha yavaNetofati. Vatariri vamasuo: Sharumi, Akubhi, Tarimoni, Ahimani navanun'una vavo, Sharumi ari mukuru wavo, vakaiswa paSuo raMambo kumabvazuva, kusvikira nanhasi. Ava ndivo vaiva vatariri vamasuwo, okumusasa wavaRevhi. Sharumi mwanakomana waKore mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora navamwe vatariri vamasuo vokumhuri yake, vaKora, vaiva nebasa rokuchengetedza mikova yeTende sezvaingoitwa namadzibaba avo vakanga vane basa rokurinda suo rokupinda kuugaro hwaJehovha. Panguva dzapakutanga Finehasi mwanakomana waEreazari ndiye aiva mukuru wavatariri vamasuo, uye Jehovha aiva naye. Zekaria mwanakomana waMesheremia aiva mutariri wesuo pamukova weTende Rokusangana. Vose pamwe chete vakanga vasarudzwa kuti vave vatariri vamasuo pamikova vaisvika mazana maviri negumi navaviri. Vakanga vakanyorwa munhoroondo dzokuberekwa dzemisha yavo. Vatariri vamasuo vakapiwa mabasa avo nenzvimbo dzavo naDhavhidhi naSamueri muoni. Ivo nezvizvarwa zvavo vaiva nebasa rokurinda masuo eimba yaJehovha, imba yainzi Tende. Vatariri vamasuo vaiva kumativi mana, kumabvazuva, kumavirira, kumusoro nezasi. Vanun'una vavo mumisha yavo vaiuya nguva nenguva vachizogoverana mabasa avo vachiita madzoro amazuva manomwe. Asi vakuru vana pakati pavatariri vamasuo, vaiva vaRevhi, vakapiwa basa rokuchengetedza makamuri namatura epfuma muimba yaMwari. Vaipedza usiku hwose vari panzvimbo dzavo vakapoteredza imba yaMwari, nokuti vaifanira kuichengetedza; uye vaiva nebasa rokuizarura mangwanani oga oga. Vamwe vavo vaiva nebasa rokuchengetedza midziyo yaishandiswa muTemberi; vaiiverenga ichibuda voiverengazve yodzorerwa. Vamwe vakapiwa basa rokuti vachengetedze nhumbi nemimwe midziyo yose yapanzvimbo tsvene pamwe chete noupfu hwakatsetseka newaini, namafuta, nezvinonhuwira nemiti inonhuwira. Asi vamwe vavaprista vaiitawo basa rokusanganisa miti inonhuwira. MuRevhi ainzi Matitia, dangwe raSharumi muKora, akagadzwa basa rokubika chingwa chechipiriso. Vamwe vehama dzavo vaKohati vakapiwa basa rokubika chingwa chaizoiswa patafura pamaSabata ose. Avo vaiva vaimbi, vakuru vemhuri dzavaRevhi, vaigara mumakamuri omuTemberi uye vaisaita mamwe mabasa ose nokuti vaifanira kuita basa iri masikati nousiku. Ava vose vaiva vakuru vemhuri dzavaRevhi, vakuru sezvavakanyorwa munhoroondo dzokuberekwa kwavo. Uye vaigara muJerusarema. Jeyeri baba vaGibheoni aigara muGibheoni. Mukadzi wake ainzi Maaka, uye dangwe rake raivawo Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi, Gedhori, Ahio, Zekaria naMikiroti. Mikiroti aiva baba vaShimeamu. Ivowo vaigara pedyo nehama dzavo muJerusarema. Neri aiva baba vaKishi, Kishi ari baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abhinadhabhi naEshi-Bhaari. Mwanakomana waJonatani ainzi Meribhi-Bhaari uye aiva baba vaMika. Vanakomana vaMika vaiva Pitoni: Mereki, Tahirea naAhazi. Ahazi aiva baba vaJadha, Jadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri, uye Zimiri aiva baba vaMoza. Moza aiva baba vaBhinea; Refaya aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake. Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo: Azirikami, Bhokeru, Ishumaeri, Sheariya, Obhadhia naHanani. Ava ndivo vaiva vana vaAzeri. Zvino vaFiristia vakarwisa vaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, vazhinji vakaurayiwa paGomo reGiribhoa. VaFiristia vakatevera Sauro navanakomana vake kwazvo uyezve vakauraya vanakomana vake Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua. Hondo yakarwiwa zvinotyisa kumativi ose aSauro uye vapfuri vouta pavakamubata, vakamukuvadza. Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa, “Vhomora munondo wako undibaye nawo kuti varume ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakanditambudza.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatya kwazvo akasada kuzviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri. Mubati wenhumbi dzake dzokurwa paakaona kuti Sauro afa, iyewo akazviwisira pamunondo wake akafa. Saka Sauro navanakomana vake vatatu neimba yake yose vakafa pamwe chete. Zvino vaIsraeri vose vakanga vagere pamupata vakati vaona kuti varwi vose vatiza uyezve Sauro navanakomana vake vatatu vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Uye vaFiristia vakauya vakagara maari. Zuva raitevera, vaFiristia pavakauya kuzokutunura nhumbi dzavakanga vafa; vakawana Sauro navanakomana vake vakafa pagomo reGiribhoa. Vakamukutunura nhumbi dzake uye vakatora musoro wake nezvombo zvake vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kuti vandoparidzira shoko iri pakati pavamwari vavo uye navanhu vavo. Vakaisa zvombo zvake mutemberi yavamwari vavo vakaturika musoro wake mutemberi yaDhagoni. Vagari vose vomuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvose zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro, mhare dzose dzakasimuka dzikandotora zvitunha zvaSauro, navanakomana vake vakauya nazvo kuJabheshi vakaviga mapfupa avo pamuti mukuru weJabheshi uye vakatsanya kwamazuva manomwe. Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha, haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira kumasvikiro kuti atungamirirwe. Haana kubvunza kuna Jehovha. Saka Jehovha akamuuraya uye akapa umambo kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese. VaIsraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati, “Isu tiri nyama yenyu neropa renyu. Kare kunyange Sauro paaiva mambo ndimi maitungamirira Israeri kundorwa. Uye Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri uye uchava mutongi wavo.’ ” Vakuru vose veIsraeri pavakauya kuna mambo Dhavhidhi paHebhuroni iye akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri sezvakanga zvavimbiswa naJehovha kubudikidza naSamueri. Dhavhidhi navaIsraeri vose vakaenda kuJerusarema (ndiro Jebhusi). VaJebhusi vaigaramo vakati kuna Dhavhidhi, “Hamuzopindi muno.” Kunyange zvakadaro Dhavhidhi akatapa nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akanga ati, “Achatungamirira kundorwisa vaJebhusi ndiye achava mukuru wavarwi.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akatanga kuenda saka akapiwa utungamiri hwacho. Dhavhidhi akagara munhare yeZioni, saka rakazodaidzwa kuti Guta raDhavhidhi. Akavaka guta richipoteredza, kubva pamihomba yokutsigira kusvikira kurusvingo rwakanga rwakapoteredza, Joabhu achivaka patsva chimwe chikamu chose cheguta. Uye Dhavhidhi akaramba achiva nesimba guru nokuti Jehovha Wamasimba Ose aiva naye. Ava ndivo vaiva vakuru pakati pavarume voumhare vaiva naDhavhidhi, avo pamwe chete neIsraeri yose, vakatsigira umambo hwake zvakasimba kuti husvike munyika yose sokuvimbisa kwakanga kwaita Jehovha. Aya ndiwo mazita avarume voumhare vaiva naDhavhidhi: Jashobheami, muHakimoni, aiva mukuru wamachinda ehondo; akasimudza pfumo rake akarwa navarume mazana matatu, avo vaakauraya pakurwisana panguva imwe chete. Aimutevera ainzi Ereazari mwanakomana waDhodhai muAhohi mumwe wavarume voumhare vatatu. Aiva naDhavhidhi paPasi Dhamimi vaFiristia pavakaungana ipapo kuzorwa. Pane imwe nzvimbo paiva nomunda wakanga uzere nebhari, varwi vakatiza vaFiristia. Asi ivo vakaramba vamire pakati pomunda vakaurwira vakauraya vaFiristia uye Jehovha akaita kuti vakunde nokukunda kukuru. Vatatu pakati pamakumi matatu avakuru vakaburukira kuna Dhavhidhi kuDombo pabako reAdhurami, uye hondo yavaFiristia yakanga yadzika matende muMupata weRefaimi. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka rehondo yavaFiristia rakanga riri paBheterehema. Dhavhidhi akanzwa nyota uye akati, “Haiwa, dai mumwe munhu ainondicherera mvura yokunwa kubva mutsime riri pedyo nesuo reBheterehema!” Saka Vatatu ava vakapinda napakati pehondo dzavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema uye vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa akaidururira pasi pamberi paJehovha. Dhavhidhi akati, “Mwari ngaandidzivise ndiregere kunwa izvi! Ndinganwa here ropa ravarume ava vaenda vachiisa upenyu hwavo panjodzi?” Nokuti vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vadzoke vanayo, Dhavhidhi akaramba kuinwa. Aya ndiwo mamwe amabasa okukunda akaitwa navarume voumhare vatatu. Abhishai munun'una waJoabhu akanga ari mukuru waVatatu Ava. Akasimudza pfumo rake kuti arwise varume mazana matatu, akavauraya, uye akava nomukurumbira saVatatu Vaya. Akaremekedzwa zvakapetwa kaviri pamusoro paVatatu Vaya uye akaitwa mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengerwa pakati pavo. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva murwi woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita mabasa, makuru. Akauraya mhare mbiri dzapamusoro dzavaMoabhu. Akapindawo mugomba mumwe musi kuine chando akauraya shumba. Uye akauraya muIjipita akanga akareba makubhiti mashanua. Kunyange zvazvo muIjipita akanga akapakata pfumo rainge tsvimbo yomuruki muruoko rwake, Bhenaya akamurwisa netsvimbo. Akabvuta pfumo kubva muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake. Aya ndiwo aiva mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akaita mukurumbira savarume vatatu voumhare. Akakudzwa nokuremekedzwa kukuru kupfuura Vaya Makumi Matatu, akanga asiri pakati paVatatu Vaya. Uye Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake. Varume voumhare vaiva: Asaheri munun'una waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema. Shamoti muHarori, Herezi muPeroni, Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa, Abhiezeri aibva kuAnatoti, Sibhekai muHushati, Irai muAhohi, Maharai muNetofati, Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati, Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBenjamini, Bhenaya muPiratoni, Hurai aibva kuhova dzeGaashi, Abhieri muAribhati, Azimavheti muBhaharumi, Eriabha muShaaribhoni, vanakomana vaHashemi muGizoni, Jonatani mwanakomana waShage muHarari, Ahiami mwanakomana waSaka muHarari, Erifari mwanakomana waUri, Heferi muMekerati, Ahija muPeroni, Heziro muKarimeri, Naarai mwanakomana waEzibhai, Joere munun'una waNatani, Mibha mwanakomana waHagiri, Zereki muAmoni, naHarai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhi mwanakomana waZeruya, Ira muItiri, Garebhi muItiri, Uria muHiti, Zabhadhi mwanakomana waArai, Adhina mwanakomana waShiza muRubheni iye aiva mukuru wavaRubheni, navaya makumi matatu, vaaiva navo, Hanani mwanakomana waMaaka, Joshafati muMitini, Uzia muAshiterati, Shama naJeyeri vanakomana vaHotamu muAroeri, Jedhieri mwanakonama waShimiri, munun'una wake Joha muTizi, Erieri muMahavhi, Jeribhai naJoshavia vanakomana vaErinaami, muMoabhu, Erieri, Obhedhi naJaasieri muMezobhai. Ava ndivo varume vakauya kuna Dhavhidhi paZikiragi achakavanda nokuda kwaSauro mwanakomana waKishi; uye ndivo vamwe vavarwi vakamubatsira muhondo. Vakanga vapakata uta uye vaigona kupfura miseve nezvipfuramabwe noruoko rworudyi kana rworuboshwe; vaiva hama dzaSauro dzokurudzi rwaBenjamini. Ahiezeri, mukuru wavo, naJoashi, vanakomana vaShemaya muGibheati; Jezieri naPereti vanakomana vaAzimavheti; Bheraka, Jehu muAnatoti, naIshimaya muGibheoni, aiva mhare pakati paMakumi Matatu; aiva mutungamiri waMakumi Matatu; Jeremia, Jahazieri, Johanani; Jozabadhi muGedherati, Eruzai, Jerimoti, Bhearia, Shemaria naShafatia muHarufi; Erikana, Ishiya, Azareri, Joezeri naJashobheami vaKorahi; naJoera naZebhadhia vanakomana vaJehorami vaibva kuGedhori. Vamwe vaGadhi vakazvitsaurawo vakaenda kwaiva naDhavhidhi kunhare yake kurenje. Vaiva varwi vakashinga, vakagadzirira kurwa uye vaigona kubata nhoo nepfumo. Zviso zvavo zvaiva zviso zveshumba, uye vaimhanya semharapara mumakomo. Ezeri ndiye aiva mukuru, Obhadhia ari wechipiri, aiva Erizabhadhi wechipfumbamwe, Eriabhi ari wechitatu, Mishimana wechina, Jeremia wechishanu, Atai wechitanhatu, Erieri wechinomwe, Johanani worusere, Erizabhadhi wechipfumbamwe, Jeremia wegumi naMakibhanai wegumi nomumwe. VaGadhi ava ndivo vaiva vatungamiriri vamauto, mudiki ainge akaenzana nezana, uye mukuru ainge akaenzana nechiuru. Ivava ndivo vaya vakayambuka Jorodhani mumwedzi wokutanga parwainge rwakazara nokumahombekombe uye vakaita kuti vanhu vose vaigara mumipata, kumabvazuva nokumavirira, vatize. Vamwe vaBenjamini navamwe varume vaibva kuJudha vakauyawo kuna Dhavhidhi munhare yake. Dhavhidhi akaenda kundosangana navo akati kwavari, “Kana mauya kwandiri norugare, kuzondibatsira, ndakagadzirira kuti mubatane neni. Asi kana mauya kuzonditengesa kuvavengi vangu iwo maoko angu asina kuita zvechisimba, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione uye akutongei.” Ipapo Mweya wakauya pana Amasi mukuru waMakumi Matatu akati, “Haiwa Dhavhidhi, tiri vako! Haiwa mwanakomana waJese, tinewe! Kubudirira, kubudirira ngakuve kwauri, uye kubudirira ngakuve kuna vanokubatsira nokuti Mwari wako achakubatsira.” Saka Dhavhidhi akavagamuchira akavaita vatungamiri veboka ravarwi vake. Vamwe varume vokwaManase vakabatana naDhavhidhi paakaenda navaFiristia kundorwisa Sauro. Iye navanhu vake havana kubatsira vaFiristia nokuti, vapedza kubvunzana, vatongi vavo vakamudzosa vakati, “Zvichatiurayisa kana akazotitiza akandobatana namambo wake Sauro.” Dhavhidhi paakaenda kuZikiragi, ava ndivo vaiva varume vokwaManase vakabatana naye: Adhina, Jozabhadhi, Jedhieri, Mikaeri, Jozabhadhi, Erihu naZiretai, vatungamiri vezvikwata zvechiuru muna Manase. Vakabatsira Dhavhidhi paairwisana namapoka amakororo, nokuti vose vakanga vari varwi vakashinga uye vaiva vatungamiri muhondo yake. Zuva nezuva varume vakauya kuzobatsira Dhavhidhi kusvikira ava nehondo huru kwazvo, sehondo yaMwari. Uku ndiko kuwanda kwavarume vakapakata zvombo kuti vandorwa, vakauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni kuti vatore umambo hwaSauro vahupe kwaari, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha: Varume vokwaJudha vakanga vakatakura nhoo namapfumo vaiva zviuru zvitanhatu namazana masere uye akapakata zvombo kuti vandorwa; varume vokwaSimeoni, varwi vakanga vakagadzirira kundorwa vaiva zviuru zvinomwe nezana; varume vokwaRevhi zviuru zvina namazana matanhatu, pamwe chete naJehoyadha, mutungamiri wemhuri yaAroni aiva navarume zviuru zvitatu namazana manomwe, naZadhoki, murwi wechidiki aiva akashinga, navakuru vamapoka makumi maviri navaviri kubva kumhuri yake; varume vokwaBenjamini, hama dzaSauro vaiva zviuru zvitatu vazhinji vavo vakanga vamboramba vachitevera Sauro kusvikira musi uyu; varume vokwaEfuremu varwi vakashinga vaiva nomukurumbira kwazvo kumhuri dzavo vaiva zviuru makumi maviri namazana masere; varume vokurudzi rwehafu rwaManase vakadanwa namazita avo kuti vauye vazogadza Dhavhidhi umambo vaiva zviuru gumi nezvisere; varume vokwaIsakari vainzwisisa nguva uye vaiziva kuti Israeri yaifanira kuitei, vaiva vakuru mazana maviri nehama dzavo dzose dzaiva pasi pavo; varume vokwaZebhuruni, varwi vaiziva, vakanga vakagadzirira kurwa nezvombo zvemhando dzose, vakauya kuzobatsira Dhavhidhi nomwoyo wakaperera, vaiva zviuru makumi mashanu; varume vokwaNafutari vaiva chiuru chavakuru vamapoka, pamwe chete nezviuru makumi matatu nezvinomwe zvavarume vakanga vakatakura nhoo namapfumo; varume vokwaDhani, vakanga vakagadzirira kurwa, zviuru makumi maviri nezvisere namazana matanhatu; varume vokwaAsheri, vakanga vane unyanzvi hwokurwa uye vakagadzirira kurwa, vaiva zviuru makumi matanhatu; uye kubva kumabvazuva aJorodhani, varume vokwaRubheni, Gadhi norudzi rwehafu rwaManase vakanga vakapakata zvombo zvemhando dzose, vaiva zviuru zana namakumi maviri. Ava vose vaiva varume vokurwa vakazvipira kundorwa. Vakauya paHebhuroni vakagadzirira zvizere kuzogadza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. Vamwe vaIsraeri vose vaiva nomwoyo mumwe chete wokuti vaite Dhavhidhi mambo. Varume vakagara mazuva matatu ipapo vaina Dhavhidhi vachidya nokunwa nokuti mhuri dzavo dzainge dzavavigira zvokudya. Uyewo, vavakidzani vavo vokure kwazvo kunyange kwaIsakari, kwaZebhuruni nokwaNafutari vakauya nezvokudya zviri pambongoro, ngamera, mahesera nenzombe. Pakanga paine zvokudya zvizhinji kwazvo zvaiti upfu, makeke amaonde, makeke amazambiringa akaoma, waini, mafuta, nzombe, namakwai nokuti mufaro wakanga uripo pakati peIsraeri. Dhavhidhi akataurirana nomumwe nomumwe wavabati vake vose, vatungamiri vezviuru, navatungamiri vamazana. Akati kuungano yose yeIsraeri, “Kana zvichiita sezvakakunakirai uye kana kuri kuda kwaJehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kwose kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yeIsraeri, nokuvaprista navaRevhi vavagere navo mumaguta avo nokumafuro avo kuti vauye vazobatana nesu. “Ngatidzorei areka yaMwari wedu kwatiri zvakare, nokuti izvi hatina kuzvibvunza panguva yokutonga kwaSauro.” Ungano yose yakabvuma kuita izvi, nokuti zvairatidzika kunge zvakanaka kuvanhu vose. Saka Dhavhidhi akaunganidza vaIsraeri vose kubva kuRwizi Shihori muIjipiti kusvika kuRebho Hamati, kuti vatore areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi. Dhavhidhi navaIsraeri vose vaiva naye vakaenda kuBhaara reJudha (Kiriati Jearimi) kuti vandotora areka yaMwari Jehovha, agere pakati pamakerubhi, iyo areka inodaidzwa neZita irori. Vakatakura areka yaMwari kubva muimba yaAbhinadhabhi iri mungoro itsva, Uza naAhio vakaitungamirira. Dhavhidhi navaIsraeri vose vakanga vachipembera nesimba ravo rose pamberi paMwari, nenziyo, nembira, nemitengeranwa, netambureni, nemakandira nehwamanda. Pavakasvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti atsigire areka nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa. Kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Uza akamuuraya nokuti akanga atambanudza ruoko rwake akabata areka. Saka akafa pakarepo pamberi paMwari. Ipapo Dhavhidhi akatsamwa nokuti kutsamwa kwaJehovha kwakanga kwawira pana Uza, uye kusvikira nhasi nzvimbo iyoyo inonzi Perezi Uza. Dhavhidhi akatya Mwari zuva iroro uye akabvunza achiti, “Ko, ndingadzosa areka yaMwari kwandiri seiko?” Haana kutora areka kuti ive naye muguta raDhavhidhi. Asi akaenda nayo kuimba yaObhedhi-Edhomu muGiti. Areka yaMwari yakasara mumhuri yaObhedhi-Edhomu muimba yake kwemwedzi mitatu, uye Jehovha akaropafadza imba yake nezvose zvaakanga anazvo. Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo. Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akamusimbisa samambo pamusoro peIsraeri uye kuti umambo hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Israeri. MuJerusarema, Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi akava baba vavanakomana navanasikana vazhinji. Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shamua, Shobhabhi, Natani, Soromoni, Ibhari, Erishua, Eriperati, Noga, Nefegi, Jafia, Erishama, Bheeriyadha naErifereti. VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaga, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo. Zvino vaFiristia vakanga vauya kuzopamba mupata weRefaimi; saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.” Saka Dhavhidhi navanhu vake vakakwira kuPerazimi uye ikoko akavakunda akati, “Sokupwanya kunoita mvura, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu.” Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kunzi Bhaari Perazimi. VaFiristia vakasiya vamwari vavo ipapo, uye Dhavhidhi akarayira kuti vapiswe mumoto. VaFiristia vakarwisa zvakare mupata uya. Saka Dhavhidhi akabvunza Mwari zvakare, uye Mwari akamupindura akati, “Usangonanga ikoko asi vakomberedze wozovarwisa wava pamberi pemiti yemibharisamu. Pamunotanga kunzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, unofanira kubuda kundorwa, nokuti zvichange zvichireva kuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFiristia.” Saka Dhavhidhi akaita sokurayirwa kwaakanga aitwa naMwari, uye vakaparadza hondo yavaFiristia, kubva kuGibheoni, kusvika kuGezeri. Saka mukurumbira waDhavhidhi wakapararira nenyika yose uye Jehovha akaita kuti marudzi ose amutye. Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende. Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.” Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira. Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi: kubva kuzvizvarwa zvaKohati, Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri; kubva kuzvizvarwa zvaMerari, Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri; kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni, Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu; kubva kuzvizvarwa zvaErizafani, Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri; kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni, Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere; kubva kuzvizvarwa zvaUzieri, Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri. Ipapo Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiatari vaprista, naUrieri, Asaya, Joere, Shemaya, Erieri naAminadhabhi vaRevhi. Akati kwavari, “Imi muri vakuru vemhuri dzava Revhi, imi navamwe vaRevhi vose munofanira kuzvinatsa kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari weIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira. Izvi zvakaitika nokuti imi vaRevhi hamuna kukwira neareka pakutanga paya Jehovha Mwari wedu paakatiratidza kutsamwa kukuru. Hatina kunge tabvunza kwaari kuti tingazviite sei nenzira yakarayirwa.” Saka vaprista navaRevhi vakazvinatsa kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsraeri. Uye vaRevhi vakatakura areka yaMwari namatanda pamapfudzi avo, sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha. Dhavhidhi akataurira vatungamiri vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo kuti vave vaimbi kuti vazonoimba dzimbo dzomufaro nezviridzwa zvaiti: mitengeranwa, mbira, namakandira. Saka vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoere; kubva kuhama dzake Asafi mwanakomana waBherekia; uye kubva kuhama dzavo vaMerari, Etani mwanakomana waKushaya; uye pamwe chete navo hama dzavo dzaitevera paukuru dzaiti: Zekaria, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri varindi vemikova. Vaimbi vaiti Hemani, Asafi naEtani vakagadzwa kuti varidze makandira endarira. Zekaria, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Maaseya, naBhenaya vaizoridza mitengeranwa, maererano nearamoti, uye Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obedhi-Edhomu, Jeyeri, naAzazia vaizoridza mbira maererano neshiminiti. Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri. Bherekia naErikana ndivo vaizova varindi vemikova weareka. Shebhania, Joshafeti, Netaneri, Amasai, Zekaria, Bhenaya naErieza vaprista vaizoridza hwamanda pamberi peareka yaMwari. Obhedhi-Edhomu naJehia vaizovawo vatariri vomusuwo weareka. Dhavhidhi navakuru veIsraeri navakuru vamapoka ane chiuru vakaenda kundotora areka yesungano yaMwari kubva kumba kwaObhedhiEdhomu, vachifara. Nokuti Mwari akanga abatsira vaRevhi avo vainge vatakura areka yesungano yaMwari, vakabayira Mwari hando nomwe namakondohwe manomwe. Zvino Dhavhidhi akanga akapfeka nguo yomucheka wakanaka sezvakanga zvakaita vaimbi, naKenania akanga ari mutungamiri wokuimba kuvaimbi. Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi yomucheka. Saizvozvo vaIsraeri vose vakakwira neareka yesungano yaJehovha vachidanidzira, nokuridza mimhanzi yenyanga dzamakondohwe nehwamanda namakandira, uye vachiridza mitengeranwa nembira. Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye akaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba, akamushora mumwoyo make. Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari. Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha. Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwi nekeke ramazambiringa akaoma. Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri: Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari. Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha: Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita. Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa. Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare. Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva. Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake, haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake. Ndiye Jehovha Mwari wedu; mitongo yake iri munyika yose. Anorangarira sungano yake nokusingaperi, shoko raakarayira, kwechiuru chamarudzi. Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka. Akasimbisa kuna Jakobho somutemo, kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti: “Kwauri ndichapa nyika yeKenani, sechikamu chenhaka yako.” Pavakanga vari vashoma, vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi, vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe, kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe. Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire; nokuda kwavo akatuka madzimambo. “Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.” Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga. Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake; simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake. Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, i pai Jehovha kukudzwa nesimba, ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake. Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake. Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunutswi. Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pamarudzi, “Jehovha anotonga!” Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri; minda ngaifarisise nezvose zviri mairi. Ipapo miti yesango ichaimba, ichaimba nomufaro pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Vongai Jehovha nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu; tiunganidzei uye mutirwire pandudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene kuti tifarisise mukukurumbidzai.” Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha. Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe. Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhuruni naHosa vaiva vatariri vamasuo. Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri. Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.” Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo. Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake. Shure kwokunge Dhavhidhi agara mumuzinda wake akati kuna Natani muprofita, “Ndiri pano zvangu ndigere mumuzinda womusidhari, asi areka yesungano yaJehovha iri pasi peTende.” Natani akapindura kuna Dhavhidhi akati, “Zvose zvamunazvo mupfungwa itai nokuti Mwari anemi.” Usiku ihwohwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani richiti: “Enda undotaurira muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Hausiwe uchandivakira imba yokugara. Handina kumbogara mumba kubvira zuva randakaburitsa Israeri kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi. Ndaifamba kubva mutende ndichienda mune rimwe, kubva pane imwe nzvimbo yokugara ndichienda pane imwe. Kwose kwose kwandakafamba navaIsraeri vose, ndakamboti here kuno mumwe zvake wavatungamiri vavo, wandairayira kuti afudze vanhu vangu, “Seiko usina kundivakira imba yomusidhari?”’ “Zvino naizvozvo udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kumafuro kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mutongi wavanhu vangu Israeri. Ndakanga ndinewe kwose kwawaienda uye ndakauraya vavengi vako vose pamberi pako. Zvino ndichaita kuti zita rako rive samazita avarume vakuru kwazvo panyika. Uye ndichapa nzvimbo kuvanhu vangu Israeri uye ndichavadyara kuti vave nomusha wavo pachavo uye kuti vasazokanganiswa. Vanhu vakaipa havangazovadzvinyiriri zvakare sazvaakavaita pakutanga uye sezvavakaita kubvira panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu Israeri. Ndichakundawo vavengi venyu vose. Ndinokuudza kuti Jehovha achakuvakira imba: Kana mazuva ako akwana uye pauchaenda kundova namadzibaba ako, ndichasimudza mwana wako achakutevera paumambo, mumwe wavanakomana vako pachako uye ndichasimbisa umambo hwake. Iyeye ndiye achandivakira imba, uye ndichasimbisa chigaro chake choumambo nokusingaperi. Ndichava baba vake uye iye achava mwanakomana wangu. Handizobvisi rudo rwangu kwaari zvakare sokurubvisa kwandakaita kune akakutangira. Ndichamugadza kuti atonge imba yangu noumambo hwangu nokusingaperi; chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.’ ” Natani akandotaura kuna Dhavhidhi mashoko ose echiratidzo chose ichi. Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda akagara pamberi paMwari akati: “Ndini aniko, nhai Jehovha Mwari, uye mhuri yangu chiiko, kuti mandisvitsawo pano? Uye sokuti izvi hazvina kukwana pamberi penyu, haiwa Mwari, mataurazve nezveramangwana reimba yomuranda wenyu. Mandiona sokunge ndini ndinokudzwa kupinda vanhu vose, imi Jehovha Mwari. “Chiizve chimwe chingataurwa naDhavhidhi kwamuri nokuda kwokuti maremekedza muranda wenyu kudai? Nokuti munoziva muranda wenyu, imi Jehovha, nokuda kwomuranda wenyu uye maererano nokuda kwenyu maita chinhu chikuru ichi mukaita kuti zvivimbiso izvi zvikuru zviziviswe. “Hakuna mumwe akaita semi, imi Jehovha, uye hakuna Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa nenzeve dzedu pachedu. Uye ndiani akaita savanhu venyu Israeri, rudzi rumwe chete panyika runa Mwari warwo akaenda kundozvidzikinurira vanhu, kuti azviitire zita, uye kuti aite zvishamiso zvikuru zvinotyisa, nokudzinga ndudzi kubva pamberi pavanhu venyu vamakadzikinura kubva kuIjipiti? Makazvigadzirira vanhu venyu Israeri kuti vave venyu pachenyu nokusingaperi, uye imi, imi Jehovha, mava Mwari wavo. “Uye zvino, Jehovha, itai kuti chivimbiso chamaita kumuranda wenyu neimba yake chisimbiswe nokusingaperi. Itai sezvamakavimbisa, kuitira kuti chisimbiswe uye kuti zita renyu rive guru nokusingaperi. Ipapo vanhu vachati, ‘Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ndiye Mwari waIsraeri.’ Uye imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu. “Imi Mwari wangu, mazivisa muranda wenyu kuti muchamuvakira imba. Saka muranda wenyu atsunga kuti anyengetere kwamuri. Haiwa Jehovha, muri Mwari! Mavimbisawo zvinhu izvi zvakanaka kumuranda wenyu. Zvino makafadzwa kuti muropafadze imba yomuranda wenyu kuti ienderere mberi nokusingaperi pamberi penyu, nokuti imi, imi Jehovha, mairopafadza uye ichava yakaropafadzwa nokusingaperi.” Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia akavaisa pasi pake, uye akavatorera Gati nemisha yakaripoteredza kuti ribve pasi poruoko rwavaFiristia. Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu, uye vakava pasi pake, vakamuvigira mutero. Pamusoro pezvo Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezeri mambo weZobha kusvikira kuHamati, paakaenda kundosimbisa kutonga kwake achitevedza Rwizi Yufuratesi. Dhavhidhi akapamba chiuru chengoro dzake, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vetsoka zviuru makumi maviri. Akadimbura marunda amakumbo amabhiza ose kusara kwezana ramabhiza engoro. VaAramu veDhamasiko pavakauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri zvavo. Akaisa mapoka avarwi vake muumambo hwavaAramu veDhamasiko, uye vaAramu vakava pasi pake uye vakamuvigira mutero. Jehovha akapa Dhavhidhi kukunda kwose kwose kwaakaenda. Dhavhidhi akatora nhoo dzegoridhe dzaiva dzakatakurwa navatungamiri vehondo yaHadhadhezeri akaenda nadzo kuJerusarema. Kubva kuTebha nokuKuni, maguta aHadhadhezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji, yakazoshandiswa naSoromoni kugadzira gungwa rendarira, nembiru uye nezvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana zvakazogadzirwa nendarira. Tou mambo weHamati paakanzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda hondo yose yaHadhadhezeri mambo weZobha, akatuma mwanakomana wake Hadhorami akauya nezvinhu zvamarudzi ose zvegoridhe nesirivha nendarira. Mambo Dhavhidhi akakumikidza zvipo izvi kuna Jehovha sezvaakanga aita nesirivha negoridhe, zvaakanga atora kubva kundudzi idzi dzose dzaiti: Edhomu, Moabhu, vaAmoni, vaFiristia neAmareki. Abhishai mwanakomana waZeruya akauraya vaEdhomu zviuru gumi nezvisere muMupata weMunyu. Akaisa mapoka avarwi muEdhomu uye vaEdhomu vose vakava pasi poutongi hwaDhavhidhi. Jehovha akapa Dhavhidhi kukunda kwose kwose kwaakaenda. Dhavhidhi akatonga Israeri achiita zvose zvakarurama uye zvakanaka kuvanhu vake vose. Joabhu mwanakomana waZeruya aitungamirira hondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo; Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Shavhisha akanga ari munyori; Bhenaya mwanakomana waJehoyada aitungamirira vaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva machinda makuru parutivi pamambo. Mukufamba kwenguva, Nahashi mambo wavaAmoni akafa uye mwanakomana wake akamutevera paumambo. Dhavhidhi akafunga akati, “Ndicharatidza mwoyo wakanaka kuna Hanuni mwanakomana waNahashi nokuti baba vake vakaratidza mwoyo wakanaka kwandiri.” Saka Dhavhidhi akatuma nhume kundonyaradza Hanuni pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi pavakasvika kuna Hanuni munyika yavaAmoni kuzomunyaradza, machinda avaAmoni akati kuna Hanuni, “Unofunga here kuti Dhavhidhi ari kukudza baba vako nokutuma vanhu vake kuti vauye kuzokunyaradza? Vanhu vake havana kuuya kuzoshora nyika yedu here kuti vaitore?” Saka Hanuni akabata vanhu vaDhavhidhi, akavagera ndebvu dzavo, akacheka nguo dzavo napakati kumagaro, akavadzinga. Mumwe munhu akauya akaudza Dhavhidhi pamusoro pavarume ava, Dhavhidhi akatuma nhume kuti dzindosangana navo nokuti vakanga vanyadziswa kwazvo. Mambo akati, “Garai paJeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzakura, mugozodzoka.” VaAmoni vakati vaziva kuti vakanga vava chinhu chinonhuwa mumhino dzaDhavhidhi, Hanuni navaAmoni vakatumira chiuru chamatarendaa esirivha kuti vandokumbira ngoro navachairi vadzo kubva kuAramu Naharaimu, Aramu Maaka nokuZobha. Vakakumbira ngoro zviuru makumi matatu nezviviri navachairi vadzo, pamwe chete namambo weMaaka navarwi vake, uye akauya akadzika musasa pedyo neMedebha, ukuwo vaAmoni vachiungana kubva mumaguta avo, uye vakabuda kundorwa. Paakanzwa izvi, Dhavhidhi akatuma Joabhu kuti abude nehondo yose yavarume vokurwa. VaAmoni vakabudawo vakagadzirira kurwa uye vakamira vari mumitsetse yokurwa pasuo reguta ravo, uye madzimambo akanga auya akanga ari pachawo musango. Joabhu akaona kuti kwaiva nemitsetse yavanhu vakagadzirira kurwa mberi kwake neshure kwake; saka akasarudza mamwe wamapoka avarwi vapamusoro muIsraeri akavaendesa kuti vandorwa navaAramu. Akaisa vamwe varume vose pasi paAbhishai munun'una wake uye vakaendeswa kuti vandorwa navaAmoni. Joabhu akati, “Kana vaAramu vandikundaka, ipapo iwe unofanira kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukunda, ipapo ini ndichakununura. Simba uye ngatirwirei vanhu vedu namaguta aMwari wedu takashinga. Jehovha achaita zvakanaka pamberi pake.” Ipapo Joabhu navarwi vaiva naye vakaenda kundorwa navaAramu, ivo vakatiza pamberi pavo. VaAmoni pavakaona kuti vaAramu vakanga vava kutiza, ivo vakatizawo pamberi pomunun'una wake Abhishai vakamhanyira mukati meguta. Ipapo Joabhu akadzokera kuJerusarema. Mushure mokunge vaAramu vaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri vakatumira nhume kundokokorodza vamwe vaAramu mberi kweRwizi, Shofaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezeri achivatungamirira. Dhavhidhi paakaudzwa izvi, akaunganidza Israeri yose ndokuyambuka Jorodhani; akaswedera kwavari kundovarwisa uye akaronga mitsetse yehondo akatarisana navo. Dhavhidhi akaita kuti mitsetse yake isangane navaAramu muhondo uye ivo vakarwa naye. Asi vakatiza pamberi paIsraeri, uye Dhavhidhi akauraya zviuru zvinomwe zvavachairi vengoro, nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akaurayawo Shofaki mutungamiri wehondo yavo. Varanda vaHadhadhezeri pavakaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri, vakayanana naDhavhidhi uye vakava pasi pake. Saka vaAramu havana kuzoda kubatsira vaAmoni zvakare. Munguva yechirimo, panguva iyo madzimambo anoenda kuhondo, Joabhu, akatungamirira mauto akashonga zvombo zvokurwa. Akaparadza nyika yavaAmoni uye akaenda kuRabha akandorikomba, asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. Joabhu akarwisa Rabha akarisiya raparara. Dhavhidhi akatora korona kubva pamusoro wamambo wavo, uremu hwayo hwakaonekwa kuti hwaiva tarendaa regoridhe uye yakanga ina mabwe anokosha uye yakaiswa pamusoro paDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo muguta iri uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavatongera kuti vashande namajeko namapiki namatemo. Dhavhidhi akaita saizvozvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yake yose akadzokera kuJerusarema. Nokufamba kwenguva, hondo yakatanga navaFiristia paGezeri. Panguva iyoyi Sibhekai muHushati akauraya Sipai, mumwe wezvizvarwa zvavaRefa, vaFiristia vakakundwa. Mune kumwe kurwisana navaFiristia, Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami munun'una waGoriati muGiti, aiva nepfumo raiva nomubato wakafanana nedanda romuruki. Mune kumwe kurwisana zvakare, kwakaitika paGati paiva nomumwe murume mukuru kwazvo aiva neminwe mitanhatu muruoko rumwe norumwe nezvigunwe zvitanhatu kugumbo rimwe nerimwe, zvose pamwe chete zvaiva makumi maviri nezvina. Aivawo worudzi rwaRafa. Paakatuka Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, munun'una waDhavhidhi akamuuraya. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakaurayiwa naDhavhidhi navanhu vake. Satani akamukira Israeri akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsraeri. Saka Dhavhidhi akati kuna Joabhu navatungamiri vamapoka avarwi, “Endai mundoverenga vaIsraeri vose kubva kuBheerishebha kusvikira kuDhani. Uye mugozondiudza kuitira kuti ndizive kuti vangani variko.” Asi Joabhu akapindura akati, “Jehovha ngavawedzere uwandu hwavarwi vake kakapetwa kazana. Ishe wangu mambo, ava vose havasi pasi petsoka dzenyu here? Seiko ishe wangu muchida kuita izvi? Sei muchida kuuyisa mhosva kuna Israeri?” Zvisinei, shoko ramambo rakakunda raJoabhu, saka Joabhu akabvapo akaenda muIsraeri yose uye akadzokera kuJerusarema. Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandu hwavarwi achiti muIsraeri yose maiva navanhu vaigona kubata munondo vaisvika miriyoni nezana rezviuru zvavarume, vachisanganisira zviuru makumi manomwe muJudha. Asi Joabhu haana kusanganisira Revhi naBenjamini mukuverenga uku, nokuti kurayira kwamambo kwakanga kwakaipa kwazvo kwaari. Kurayira uku kwakanga kwakaipawo pamberi paMwari, saka akaranga Israeri. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ndakatadza zvikuru pandakaita chinhu ichi. Zvino ndokumbirawo kuti mubvise kuipa kwomuranda wenyu. Ndakaita sebenzi kwazvo.” Jehovha akati kuna Gadhi muoni waDhavhidhi, “Enda undotaurira Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndinokupa zvinhu zvitatu zvokusarudza. Zvisarudzire chaunoda kuti ndikuitire ndichikuranga.’ ” Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Sarudza pakati peizvi: Makore matatu enzara, mwedzi mitatu yokutsvairwa pamberi pavavengi vako, minondo yavo ichikuparadzai, kana kuti mazuva matatu omunondo waJehovha, mazuva edenda munyika mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsraeri. Zvino saka zvisarudzirei kuti ndinganopindura sei uyo akandituma.” Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri mukutambudzika kukuru kwazvo. Rega hako ndiwire mumaoko aJehovha nokuti tsitsi dzake dzakakura kwazvo, asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.” Saka Jehovha akatumira denda muIsraeri uye zviuru makumi manomwe zvavarume veIsraeri zvakawira pasi zvikafa. Uye Jehovha akatuma mutumwa kuti aparadze Jerusarema, asi mutumwa uya paakanga achiita izvi Jehovha akazviona uye akazvidemba nokuda kwedambudziko iri akati kumutumwa aiparadza vanhu, “Zvakwana! Dzosa ruoko rwako.’ ” Mutumwa waJehovha ipapo akanga akamira paburiro raArauna muJebhusi. Dhavhidhi akatarisa kumusoro akaona mutumwa waJehovha akamira pakati pedenga nenyika, aine munondo muruoko rwake akarutambanudzira pamusoro peJerusarema. Ipapo Dhavhidhi navakuru vose vakapfeka masaga, vakawira pasi vakatsikitsira zviso zvavo. Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Handisini here ndakarayira kuti varwi vose vaverengwe? Ndini ndakatadza ndikaita zvakaipa, ava vanongova makwai chete. Vakaiteiko? Haiwa Jehovha, Mwari wangu, regai ruoko rwenyu ruwire pandiri ini nemhuri yangu, asi musarega denda iri riri pamusoro pavanhu venyu.” Ipapo mutumwa waJehovha akarayira Gadhi kuti ataurire Dhavhidhi kuti akwire andovakira Jehovha aritari muburiro raArauna muJebhusi. Saka Dhavhidhi akakwira mukuteerera shoko rakanga rataurwa naGadhi muzita raJehovha. Arauna paakanga achipura zviyo, akacheuka akaona mutumwa; vanakomana vake vana vaaiva navo vakandohwanda. Ipapo Dhavhidhi akaswedera, uye Arauna paakatarisa akamuona, akasiya buriro akakotamira pasi pamberi paDhavhidhi akaisa chiso chake pasi. Dhavhidhi akati kwaari, “Ndipeiwo nzvimbo yeburiro rako kuti ndigovakira Jehovha aritari, kuti denda riri pavanhu rimiswe. Nditengeserewo nomutengo waro wakazara. Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ritorei henyu! Ishe wangu mambo ngavaite zvinovafadza. Tarirai ndichakupai nzombe yezvibayiro zvinopiswa, matanda okupurisa dzive huni, uye zviyo zvive zvipiriso zvoupfu. Ndichakupai zvose izvi.” Asi mambo Dhavhidhi akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kutenga nomutengo wakazara. Handingatori ndichipa Jehovha zvinhu zvako iwe kana kubayira chipiriso chinopiswa chandisina kuripira.” Saka Dhavhidhi akaripira Arauna mashekeri mazana matanhatua egoridhe kuti apiwe nzvimbo iyi. Dhavhidhi akavaka aritari kuna Jehovha ipapo uye akapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyanana. Akadana kuna Jehovha uye Jehovha akamupindura nomoto wakabva kudenga ukaenda paaritari, yezvipiriso zvinopiswa. Ipapo Jehovha akataurira mutumwa iye akadzorera munondo wake mumuhara wawo. Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura paburiro raArauna muJebhusi, akapa zvipiriso ipapo. Tabhenakeri yaJehovha yakanga yagadzirwa naMozisi murenje. Nearitari yezvipiriso zvinopiswa zvakanga zviri panzvimbo yakakwirira paGibheoni panguva iyoyo. Asi Dhavhidhi haaikwanisa kuenda pamberi payo kundobvunza nezvaMwari nokuti aitya munondo womutumwa waJehovha. Ipapo Dhavhidhi akati, “Imba yaJehovha Mwari inofanira kuva pano, pamwe chete nearitari yezvipiriso zvinopisirwa Israeri.” Saka Dhavhidhi akarayira kuti vatorwa vose vaigara muIsraeri vaungane pamwe chete, uye kubva mukati mavo akasarudza vacheki vamatombo kuti vagadzire matombo akavezwa zvakanaka okuvakisa imba yaMwari. Akapa simbi dzakawanda kwazvo kuti dzigoshandiswa kugadzirisa zvipikiri zvamagonhi apamasuo nezvikorekedzo uye ndarira yakawanda kupfuura yaigona kuiswa pachikero. Akapawo zvakare matanda emisidhari akawanda kupfuura aigona kuverengwa, nokuti vaSidhoni nevaTire vakanga vavigira Dhavhidhi matanda akawanda. Dhavhidhi akati, “Mwanakomana wangu Soromoni mudiki kwazvo uye haasati ava noruzivo, uye imba ichavakirwa Jehovha inofanira kuva huru kwazvo, inorumbidzwa nokukudzwa kwazvo pamberi pamarudzi ose. Saka ndichaigadzirira.” Saka Dhavhidhi akagadzirira zvikuru kwazvo asati afa. Ipapo akadana mwanakomana wake Soromoni akamurayira kuti avake imba yaJehovha, Mwari weIsraeri. Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanakomana wangu zvaiva mumwoyo mangu kuti ndivakire Zita raJehovha Mwari wangu imba. Asi shoko iri raJehovha rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa zhinji uye ukarwa hondo dzakawanda. Iwe haungavakiri Zita rangu imba, nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo pamberi pouso hwangu. Asi uchava nomwanakomana achava murume worugare nokuzorora, uye ndichamupa zororo kubva kuvavengi vake kumativi ose. Zita rake achanzi Soromoni uye ndichapa Israeri runyararo norugare panguva yokutonga kwake. Iyeye ndiye achavakira Zita rangu imba. Achava mwanakomana wangu uye ini ndichava baba vake. Uye ndichasimbisa chigaro choumambo hwake pamusoro peIsraeri nokusingaperi.” “Zvino mwanakomana wangu, Jehovha ave newe, uye uve nokubudirira uye uvake imba yaJehovha Mwari wako sezvaakati uchaita. Jehovha ngaakupe uchenjeri nokunzwisisa paachakuisa pakutonga pamusoro peIsraeri, kuitira kuti uchengete murayiro waJehovha Mwari wako. Ipapo uchava nokubudirira kana ukachenjerera kuchengetedza mitemo nemirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha kuti ape Israeri. Iva nesimba utsunge mwoyo. Usatya uye usaora mwoyo.’ “Ndakatambura zvikuru kwazvo kuti ndipe kutemberi yaJehovha matarenda zviuru zanaa zvegoridhe, matarenda miriyonib esirivha, ndarira nesimbi yakawanda zvokuti haangayerwe pachikero, namatanda namatombo. Uye unogona kuwedzera pamusoro pazvo. Une varume vebasa vazhinji kwazvo: vacheki vamatombo, vavezi vamatanda navamwe varume vane unyanzvi mumabasa ose akasiyanasiyana mune zvegoridhe nesirivha, ndarira nesimbi navarume voumhizha vasingaverengeki. Zvino chitanga basa uye Jehovha ave newe.” Ipapo Dhavhidhi akarayira vatungamiri vose veIsraeri kuti vabatsire mwanakomana wake Soromoni. Akati kwavari, “Ko, Jehovha Mwari wenyu haasi nemi here? Uye haana kukupai zororo kumativi ose here? Nokuti akaisa vagari venyika iyi muruoko rwangu, uye nyika iri pasi paJehovha uye nepasi pavanhu vake. Zvino zvipirei mwoyo nemweya kutsvaka Jehovha Mwari wenyu. Tangai kuvaka nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari, kuitira kuti mugouyisa areka yesungano yaJehovha nemidziyo mitsvene yaMwari mutemberi ichavakirwa Zita raJehovha.” Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita mwanakomana wake Soromoni mambo pamusoro peIsraeri. Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi. VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere. Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi. Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.” Dhavhidhi akapatsanura vaRevhi akavaisa mumapoka zvichienderana navanakomana vaRevhi vaiti: Gerishoni, Kohati naMerari. VokwaGerishoni vaiva: Radhani naShimai. Vanakomana vaRudhani vaiva: Jehieri dangwe, Zetami naJoere, vatatu pamwe chete. Vanakomana vaShimei vaiva: Sheromoti, Hazieri naHarani, vatatu pamwe chete. Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzaRadhani. Uye vanakomana vaShimei vaiva: Jahati, Ziza, Jeushi naBheria. Ava ndivo vaiva vanakomana vaShimei, vana pamwe chete. Jahati aiva wokutanga, Ziza ari wechipiri, asi Jeushi naBheria vakanga vasina vanakomana vakawanda; saka vakaverengwa semhuri imwe chete ine basa rimwe chete. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri, vana pamwe chete. Vanakomana vaAmiramu vaiva: Aroni naMozisi. Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi. Vanakomana vaMozisi munhu waMwari vakaverengwa sechikamu chorudzi rwaRevhi. Vanakomana vaMozisi vaiva: Gerishomi naEriezeri. Zvizvarwa zvaGerishomi: Shubhaeri ndiye aiva wokutanga. Zvizvarwa zvaEriezeri zvaiva: Rahabhia ndiye aiva wokutanga. Eriezeri haana kuzoita vamwe vanakomana, asi Rahabhia akaita vanakomana vakawanda kwazvo. Vanakomana vaIzhari: Sheromiti ndiye aiva wokutanga. Vanakomana vaHebhuroni: Jeria ndiye wokutanga, Amaria wechipiri, Jahazieri wechitatu naJekameami wechina. Vanakomana vaUzieri: Mika wokutanga naIshia wechipiri. Vanakomana vaMerari, vaiva: Mari naMushi. Vanakomana vaMari vaiva: Ereazari naKishi. Ereazari akafa asina vanakomana: aingova navanasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi vakavaroora. Vanakomana vaMushi vaiva: Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha. Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi, vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.” Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri anopfuura ipapo. Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari. Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru. Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda nokurumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yokugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarairwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite. Nokudaro vaRevhi vakaita mabasa omuTende Rokusangana, romuNzvimbo Tsvene uye vari pasi pehama dzavo zvizvarwa zvaAroni, mubasa roushumiri mutemberi yaJehovha. Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni: Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naIthamari. Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista. Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa. Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi navatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari. Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva navabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari. Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari. Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi, wechipiri pana Jedhaya, wechitatu kuna Harimi, wechina kuna Seorimi, wechishanu kuna Marikia, wechitanhatu kuna Miyamini, wechinomwe kuna Jakozi, wechisere kuna Abhija, wepfumbamwe kuna Jeshua, wegumi kuna Shekania, wegumi nomumwe kuna Eriashibhi, wegumi nembiri kuna Jakimi, wegumi nenhatu kuna Hupa, wegumi neina kuna Jeshebheabhi, wegumi neshanu kuna Bhiriga, wegumi nenhanhatu kunaImeri, wegumi nenomwe kuna Heziri, wegumi nesere kuna Hapizezi, wegumi nepfumbamwe kuna Petahia, wemakumi maviri kuna Jehezikeri, wemakumi maviri nomumwe kuna Jakini, wemakumi maviri nembiri kuna Gamuri, wemakumi maviri nenhatu kuna Dheraya uye wemakumi maviri neina kuna Maazia. Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa wavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri. Kana zviri zvimwe zvizvarwa zvaRevhi: kubva kuvanakomana vaAmiramu, Shubhaeri; kubva kuvanakomana vaShubhaeri: Jedheya. Kana ari Rehabhia, kuvanakomana vake: Ishia aiva wokutanga. Kubva kuva Izhari: Sheromoti; kubva kuvanakomana vaSheromoti: Jahati. Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Jeria wokutanga, Amaria wechipiri, Jehazieri wechitatu naJekameami wechina. Mwanakomana waUzieri aiva: Mika; kubva kuvanakomana vaMika: Shamiri. Munun'una waMika: Ishi; kubva kuvanakomana vaIshia: Zekaria. Vanakomana vaMerari vaiva: Mari naMushi. Mwanakomana waJaazia aiva: Bheno. Vanakomana vaMerari vaiva: kubva kuna Jaazia: Bheno, Shoshami, Zakuri, naIbhiri. Kubva kuna Mari: Ereazari, uye akanga asina vanakomana. Kubva kuna Kishi mwanakomana waKishi aiva: Jerameeri. Uye vanakomana vaMushi vaiti: Mari, Edheri naJerimoti. Ava ndivo vaiva vaRevhi maererano nemhuri dzavo. Vakakandawo mijenya sezvaingoita hama dzavo zvizvarwa zvaAroni, pamberi paMambo Dhavhidhi naZadhoki, Ahimereki navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi. Mhuri dzomukoma pane vose dzaingoverengwa zvimwe chetezvo sedzomudiki pane vose. Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemari naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri. Kubva kuvanakomana vaAsafi: Zakuri, Josefa, Netania naAsarera. Vanakomana vaAsafi vaitungamirirwa naAsafi uyo aiprofita achitungamirirwa namambo. Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake: Gedharia, Zeri, Jeshaya, Shimei, Hashabhia naMatitia, vatanhatu pamwe chete, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita achishandisa mbira mukuvonga nokurumbidza Jehovha. Kana ari Hemani, kubva kuvanakomana vake: Bhukia, Matania, Uzieri, Shubhaeri naJerimoti; Hanania, Hanani, Eriata, Gidhariti naRomamitiEzeri; Joshibhekasha, Maroti, Hotiri naMahazioti. Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu. Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo, mukuimba mutemberi yaJehovha, namakandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo. Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere ana vasere. Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo. Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa, vanakomana vake nehama dzake, gumi navaviri; wechipiri kuna Gedharia, iye nehama dzake navanakomana vake— gumi navaviri; wechitatu kuna Zakari, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wechina kuna Iziri, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wechishanu kuna Netania, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wechitanhatu kuna Bhukia, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wechinomwe kuna Jesarera, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; worusere kuna Jeshaya, vanakomana vake nehama dzake— navaviri; wepfumbamwe kuna Matania, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wegumi kuna Shimei, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wegumi nomumwe kuna Azareri, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wegumi nemiviri kuna Hashabhia, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wegumi nemitatu kuna Shubhaeri, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wegumi nemina kuna Matitia, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wegumi nemishanu kuna Jerimoti, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wegumi nemitanhatu kuna Hanania, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wegumi nemisere kuna Joshibhekasha, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wegumi nemisere kuna Hanani, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wegumi nemipfumbamwe kuna Maroti, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wamakumi maviri kuna Eriata, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wamakumi maviri nomumwe kuna Hotiri, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wamakumi maviri nemitatu kuna Gidhariti, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wamakumi maviri nemitatu kuna Mahazioti, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri; wamakumi maviri nemina kuna Romamiti-Ezeri, vanakomana vake nehama dzake— gumi navaviri. Mapoka avachengeti vemikova aiva: Kubva kuvaKorati: Mesheremia mwanakomana waKore, mumwe wavanakomana vaAsafi. Mesheremia aiva navanakomana vaiti: Zekaria dangwe, Jedhiaeri wechipiri Zebhadhia wechitatu, Jatinieri wechina, Eramu wechishanu, Jehoanani wechitanhatu, naEriehoenai wechinomwe. Obedhi-Edhomu aivawo navanakomana vaiti: Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wechipiri, Joa wechitatu, Sakari wechina, Netaneri wechishanu, Amieri wechitanhatu, Isakari wechinomwe naPeuretai wechisere (Nokuti Mwari akanga aropafadza Obedhi-Edhomu.) Mwanakomana wake Shemaya aivawo navanakomana vaiva: vatungamiri mumhuri yababa vavo nokuti vaiva varume vaikwanisa. Vanakomana vaShemaya vaiti: Otini, Refaeri, Obedhi naErizabhadhi; hama dzake Erihu naSemakia vaivawo varume vaikwanisa. Vose ava vaiva zvizvarwa zvaObedhi-Edhomu, Ivo navanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaikwanisa vaine simba rokuita basa, zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu, vaisvika makumi matanhatu navaviri pamwe chete. Mesheremia aiva navanakomana nehama vakanga vari varume voumhare vaisvika gumi navasere pamwe chete. Hosa muMerati aiva navanakomana vaiti: Shimiri wokutanga (kunyange zvake akanga asiri dangwe baba vake vakamuita wokutanga.) Hirikia wechipiri, Tabharia wechitatu naZakaria wechina. Vanakomana nehama dzaHosa vaiva gumi navatatu vose pamwe chete. Aya mapoka avachengeti vamasuo, kubudikidza navakuru vavo, vaiva nemabasa okushumira mutemberi yaJehovha, sezvaingoitawo hama dzavo. Mijenya yakakandwa nokuda kwesuo rime nerimwe, maererano nemhuri dzavo, vadiki nevakuru pamwe chete. Mijenya weSuo Rokumabvazuva wakawira pana Sheremia. Zvino mujenya yakakandwa nokuda kwomwanakomana wake Zekaria, mupi wamazano akachenjera uye mujenya weSuo Rokumusoro wakawira paari. Mujenya weSuo Rezasi wakawira pana Obedhi-Edhomu, uye mujenya wedura wakawira kuvanakomana vake. Mijenya yeSuo Rokumadokero neSuo reSharebeti kunzira yokumusoro yakawira kuna Shupimi naHosa. Murindi aimira parutivi rwomumwe murindi. Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva, kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva, zasi kuine vana pazuva uye vaviri panguva imwe chete padura. Kana rwuri ruvanze rwokumadokero kwaiva navana kunzira navaviri paruvanze chaipo. Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari. Hama dzavo vaRevhi vaiva vachengeti vepfuma yomumba yaMwari nepfuma yezvinhu zvakakumikidzwa. Zvizvarwa zvaRadhani, avo vaiva vaGerishoni kubudikidza naRadhani uye vaiva vatungamiri vemhuri dzaRadhani muGerishoni vaiti: Jehieri, vanakomana vaJeheri, Zetami, nomunun'una wake Joere. Vaiva nebasa rokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha. Kubva kuvaAmiramu, vaIzhari, vaHebhuroni navaUzieri: Shubhaeri chizvarwa chaGerishoni mwanakomana waMozisi, ndiye aiva mukuru pakuchengetwa kwepfuma. Hama dzake kubudikidza naEriezeri dzaiva: Rehabhia mwanakomana wake, Jeshaya mwanakomana wake, Joramu mwanakomana wake, Zikiri mwanakomana wake naSheromiti mwanakomana wake. Sheromiti nehama dzake vaiva nebasa rokuchengetedza pfuma yose yezvinhu zvakakumikidzwa naMambo Dhavhidhi, navakuru vemhuri dzavo vaiva vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana uye navamwe vatungamiri. Zvimwe zvezvakapambwa muhondo vakazvikumikidza kuti zvishandiswe pakugadziridza temberi yaJehovha. Uye zvose zvakakumikidzwa naSamueri muoni naSauro naJoabhu mwanakomana waZeruya, nezvimwe zvinhu zvose zvakakumikidzwa zvaichengetwa naSheromiti nehama dzake. Kubva kuvaIzhari: Kenania navanakomana vake vakapiwa mabasa ekure netemberi vari machinda navatongi muIsraeri. Kubva kuvaHebhuroni: Hashabhia nehama dzake, varume chiuru namazana manomwe vaikwanisa ndivo vaiva vakuru muIsraeri kumadokero kweJorodhani pabasa rose raJehovha napabasa rose ramambo. Kana vari vaHebhuroni, Jeria ndiye aiva mukuru wavo maererano nezvinyorwa zvenhoroondo dzemhuri dzavo maererano nezvinyorwa zvenhoroondo, uye varume pakatsvakwa muzvinyorwa zvenhoroondo, uye varume vaikwanisa vakawanikwa pakati pavaHebhuroni vakawanikwa paJazeri muGireadhi. Jeria aiva nehama zviuru zviviri namazana manomwe vaiva varume vaikwanisa uye vari vakuru vemhuri dzavo, uye Mambo Dhavhidhi akavaita kuti vave vatariri vavaRubheni, vaGhadhi, norudzi rwehafu rwaManase kuti vagadzirise nyaya dzose dzezvaMwari uye nyaya dzose dzamambo. Aya ndiwo mazita avaIsraeri, vakuru vemhuri, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, namachinda avo, vaishandira mambo mune zvose pamusoro pamapoka avarwi ainge ari pabasa mwedzi nomwedzi mugore rose. Boka rimwe nerimwe raiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Aitungamirira boka rokutanga mwedzi wokutanga, aiva Jashobheami mwanakomana waZabhidhieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Aiva chizvarwa chaPerezi nomukuru wavakuru vavavarwi vose mumwedzi wokutanga. Aitungamirira boka remwedzi wechipiri ainzi Dhavhidhi muAhohi; Mikiroti ndiye aiva mutungamiri weboka rake. Muboka rake maiva nezviuru makumi maviri nezvina. Mukuru wavarwi wechitatu mumwedzi wechitatu ainzi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha muprista. Ndiye aiva mukuru uye muboka maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Uyu ndiye Bhenaya uya aiva mumwe woumhare pakati paMakumi Matatu uye aiva pamusoro paMakumi Matatu vacho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aitungamirira boka rake. Wechina pamwedzi wechina, aiva Asaheri munun'una waJoabhu; mwanakomana wake Zebhadia ndiye akamutevera pakutungamirira boka iri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Wechishanu pamwedzi wechishanu, aiva mutungamiri Shamihuti muIzirahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Wechitanhatu pamwedzi wechitanhatu, aiva Ira mwanakomana waIkeshi muTekoi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Wechinomwe pamwedzi wechinomwe, aiva Herezi muPeroni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Worusere, pamwedzi worusere, aiva Sibhekai muHushati muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Wechipfumbamwe, mumwedzi wechipfumbamwe, aiva Abhiezeri muAnatoti, muBenjamini. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Wegumi, mumwedzi wegumi, aiva Maharai muNetofati, muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Wegumi nomumwe, mumwedzi wegumi nomumwe, aiva Benaya muPiratoni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Wegumi navaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, aiva Heridhai muNetofati, aibva mumhuri yaOtinieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Machinda pamusoro pamarudzi aIsraeri aiti: pamusoro pavaRubheni: Eriezeri mwanakomana waZikiri; pamusoro pavaSimeoni: Shefatia mwanakomana waMaaka; pamusoro paRaiti: Hashabhia mwanakomana waKemueri; pamusoro paAroni: Zadhoki; pamusoro paJudha: Erihu, munun'una waDhavhidhi; pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri; pamusoro paZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhia; pamusoro paNafutari: Jerimoti mwanakomana waAzirieri; pamusoro pavaEfuremu: Hoshea mwanako-mana waAzazia; pamusoro porudzi rwehafu rwaManase: Joere mwanakomana waPedhaya; pamusoro porudzi rwehafu rwaManase muGireadhi: Idho mwanakomana waZekaria; pamusoro paBenjamini: Jaashaeri mwanakomana waAbhineri; pamusoro paDhani: Azareri mwanakomana waJerohami. Ava ndivo vaiva machinda pamusoro pamarudzi avaIsraeri. Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga. Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga varume ava asi haana kuzopedza. Kutsamwa kwakauya pamusoro peIsraeri nokuda kwokuverengwa uku, saka uwandu uhu hauna kuiswa mubhuku renhoroondo dzegore negore raMambo Dhavhidhi. Azimavheti mwanakomana waAdhieri aiva muchengeti wamatura amambo. Jonatani mwanakomana waUzia aiva muchengeti wamatura kumaruwa okure, mumaguta, mumisha neshongwe dzavarindi. Eziri mwanakomana waKerubhi aiva mutariri pamusoro wavashandi vomuminda vairima minda. Shimei muRamati aiva mutariri weminda yemizambiringa. Zabhidhi muShifimi aiva mutariri wezvibereko zveminda yemizambiringa zvokuzoisa muzvirongo zvewaini. Bhaari-Hanani muGedheri aiva mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri mujinga mezvikomo zvokumadokero. Joashi aiva mutariri wamafuta omuorivhi. Shitirai muSharoni, aiva mutariri wemombe dzaiva mumipata. Obhiri muIshumaeri aiva mutariri wengamera Jedheya muMeronoti aiva mutariri wembongoro. Jazizi muHagiri aiva mutariri wamakwai. Ava ndivo vaiva vabati vaichengeta zvinhu zvamambo Dhavhidhi. Jonatani, babamunini vaDhavhidhi vaiva mupi wamazano, murume woruzivo nomunyori. Jehieri mwanakomana waHakimoni aiva muchengeti wavanakomana vamambo. Ahitoferi aiva mupi wamazano kuna mambo. Hushai muAriki aiva shamwari yamambo. Ahitoferi akazoteverwa pachinzvimbo naJehoyadha mwanakomana waBhenaya uye naAbhiatari. Joabhu ndiye aiva mutungamiri wehondo yamambo. Dhavhidhi akarayira vabati veIsraeri vose kuti vaungane paJerusarema: vabati pamusoro pamarudzi, vatungamiri vamapoka aishandira mambo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, navabati vaichengeta zvinhu nezvipfuwo zvamambo uye navanakomana vake, pamwe chete navabati vomumuzinda wamambo, varume vane simba nemhare dzose dzakashinga. Mambo Dhavhidhi akasimuka akamira akati, “Teererai kwandiri, hama dzangu navanhu vangu. Zvakanga zviri mumwoyo mangu kuti ndivake imba senzvimbo yokuzororera yeareka yesungano yaJehovha, kuti zvive chitsikiro chetsoka dzaMwari wedu, uye ndakaita urongwa hwokuivaka. Asi Mwari akati kwandiri, ‘Iwe hausi kuzovakira Zita rangu imba, nokuti uri murwi uye wakateura ropa.’ “Asi Jehovha, Mwari waIsraeri, akandisarudza kubva kumhuri yangu yose kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri nokusingaperi. Akasarudza Judha kuti ave mhuri yangu, uye kubva muvanakomana vababa vangu akafadzwa nokundiita mambo pamusoro peIsraeri. Pavanakomana vangu vose, uye Jehovha akandipa vakawanda kwazvo, iye akasarudza mwanakomana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri. Akati kwandiri, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu, ndichava baba vake. Ndichasimbisa umambo hwake nokusingaperi kana iye akatsungirira mukuita zvandakarayira panguva ino.’ “Saka zvino ndinokurayira pamberi peIsraeri yose uye napamberi peungano yaJehovha, uye Mwari wedu achinzwa: Chenjerera kuti utevere kurayira kwose kwaJehovha senhaka kuvana vako nokusingaperi. “Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi. Funga zvino, senzvimbo tsvene. Iva nesimba uye uite basa iri.” Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni urongwa hwebiravira retemberi dzimba dzayo, matura ayo, makamuri ayo okumusoro, makamuri ayo omukati uye nenzvimbo yokuyananisira. Akamupa urongwa hwazvose zvakanga zvaiswa noMweya mupfungwa make pamusoro pezvivanze zvetemberi yaJehovha namakamuri ose akapoteredza, pamusoro pamatura epfuma yetemberi yaMwari napamusoro pamatura ezvinhu zvakakumikidzwa. Akamurayira zvokuita pamusoro pamapoka avaprista navaRevhi uye napamusoro pebasa rose rokushumira mutemberi yaJehovha, uyewo napamusoro pemidziyo yaizoshandiswa mubasa rayo. Akarayira uremu hwegoridhe remidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira, nouremu hwesirivha yemidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira: Uremu hwegoridhe rezvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo, nouremu hwechigadziko chomwenje chimwe nechimwe, nemwenje yacho, maererano nokushandiswa kwechigadziko chemwenje chimwe nechimwe. Uremu hwegoridhe retafura imwe neimwe yechingwa chakatsaurwa; uremu hwesirivha yetafura dzesirivha; uremu hwegoridhe rakanatswa reforogo, ndiro dzokusasa nemikombe; uremu hwegoridhe nedhishi rimwe nerimwe regoridhe; uremu hwesirivha yedhishi rimwe nerimwe resirivha; uye uremu hwegoridhe rakanatswa nearitari yezvinonhuwira. Akamupawo mufananidzo wengoro iyo ina makerubhi egoridhe akatambanudza mapapiro awo achifukidza areka yesungano yaJehovha. Dhavhidhi akati, “Zvose izvi ndakazviziviswa zvanyorwa noruoko rwaJehovha, urongwa hwamabasa ake ose.” Dhavhidhi akatiwo kumwanakomana wake Soromoni, “Simba utsunge mwoyo, uye uite basa iri. Usatya kana kuora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu anewe. Haachazokusiyi kana kukurasa, kusvikira basa rose rokushandira temberi yaJehovha rapera. Mapoka avaprista navaRevhi akagadzirira kuisa basa rose rapatemberi yaMwari, uye murume wose anoda uye ane umhizha hupi nehupi pamabasa amaoko achakubatsira pabasa iri rose. Vabati vose navanhu vose vachateerera kurayira kwako kwose.” Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari. Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu, goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo. Pamusoro pezvo mukuzvipira, kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti: Matarenda zviuru zvitatua egoridhe (goridhe reOfiri) namatarenda zviuru zvinomweb esirivha yakanatswa yokufukidza madziro edzimba, kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!” Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda. Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanuc namadhariki zviuru gumid egoridhe, matarenda zviuru gumie esirivha, matarenda zviuru gumi nezviseref endarira, namatarenda zviuru zanag esimbi. Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni. Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru. Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti: “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi. Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha nokukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose. Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose. Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa. “Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivananiko, kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu. Tiri vatorwa navapfuuri pamberi penyu, sezvakanga zvakaita madzibaba edu ose. Mazuva edu panyika akaita somumvuri, asina tariro. Imi Jehovha, Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda kudai zvatapa kuti temberi yenyu ivakwe nokuda kweZita renyu Dzvene zvinobva muruoko rwenyu uye zvose ndezvenyu. Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda. Imi Jehovha, Mwari wamadzibaba edu Abhurahama, Isaka, naIsraeri, chengetedzai kudokwairira kwakadai mumwoyo yavanhu venyu nokusingaperi, uye muite kuti mwoyo yavo irambe yakazvipira kwamuri. Uye ipai mwanakomana wangu Soromoni mwoyo wakaperera kuti achengete mirayiro yenyu, zvose zvamunoda nemitemo yenyu uye kuti aite zvose kuti avake muzinda wandagadzirira zvose izvi.” Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Saka vose vakarumbidza Jehovha, Mwari wamadzibaba avo; vakakotamira pasi vakawira pasi nezviso pamberi paJehovha naMambo. Zuva raitevera vakapa zvipiriso kuna Jehovha vakapa zvipiriso zvinopiswa kwaari zvinoti: hando chiuru, makondohwe chiuru, namakwayana makono chiuru, pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, nezvimwe zvibayiro zvakawanda zveIsraeri. Vakadya nokunwa nomufaro mukuru pamberi paJehovha zuva iroro. Ipapo vakazogamuchira Soromoni mwanakomana waDhavhidhi samambo kechipiri, vakamuzodza pamberi paJehovha kuti ave mutongi, uye Zadhoki ave muprista. Saka Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha samambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi. Akabudirira uye Israeri yose yakamuteerera. Vatungamiri vose pamwe chete navarume voumhare, pamwe chete navanakomana vose vaMambo vaDhavhidhi vakavimbisa kuzviisa pasi paMambo Soromoni. Jehovha akasimudzira Soromoni kwazvo pamberi peIsraeri yose akaisa paari kukudzwa kwoumambo kusina kumbopiwa mumwe mambo weIsraeri akamutangira. Dhavhidhi mwanakomana waJese aiva mambo pamusoro peIsraeri yose. Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni uye makumi matatu namatatu muJerusarema. Akafa akwegura zvikuru ararama upenyu hurefu, hune upfumi nokukudzwa. Mwanakomana wake Soromoni akamutevera paumambo. Kana zviri zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaMambo Dhavhidhi kubva pakutanga kusvika kumagumo, zvakanyorwa muzvinyorwa zvaSamueri muoni, zvinyorwa zvaNatani muprofita, uye nomuzvinyorwa zvaGadhi muoni, pamwe chete nenhoroondo dzokutonga kwake, uye nesimba, nezvinhu zvakaitika kwaari iye neIsraeri noumambo hwedzimwe nyika dzose. Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbisa kwazvo ushe hwake, nokuti Jehovha Mwari wake akanga anaye akamuita kuti ave mukuru kwazvo. Ipapo Soromoni akataura kuIsraeri yose, kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana, kuvatongi nokuvatungamiri vose muIsraeri, vakuru vemhuri, uye Soromoni neungano yose vakaenda kunzvimbo yakakwirira yeGibheoni, nokuti Tende Rokusangana raMwari rakanga ririko, iro rakanga ragadzirwa naMozisi muranda waMwari murenje. Zvino Dhavhidhi akanga auyisa areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi kunzvimbo yaakanga aigadzirira nokuti akanga aidzikira tende muJerusarema. Asi aritari yendarira yakanga yagadzirwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iri muGibheoni pamberi peTabhenakeri yaJehovha; saka Soromoni neungano vakandomubvunza ipapo. Soromoni akakwira kuaritari yendarira pamberi paJehovha muTende Rokusangana akandobayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru pairi. Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chose chaungada kuti ndikupe.” Soromoni akapindura Mwari akati, “Makaratidza unyoro hwenyu hukuru kwazvo kuna Dhavhidhi baba vangu uye mukandiita mambo pachinzvimbo chavo. Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadzikiswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika. Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?” Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo uku kuri kudokwairira kwomwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi, kana zvakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo, naizvozvo uchapiwa uchenjeri noruzivo. Uye ini ndichakupawo upfumi, zvakawanda nokukudzwa zvisati zvambowanikwa namadzimambo ose akakutangira zvakare hakunazve mambo achauya shure kwako achava nazvo.” Ipapo Soromoni akaenda kuJerusarema achibva kunzvimbo yakakwirira paGibheoni, kubva paTende Rokusangana. Uye akatonga Israeri. Soromoni akazviunganidzira ngoro namabhiza; aiva nengoro chiuru namazana mana, nezviuru gumi nezviviri zvamabhiza, zvaaichengetera mumaguta engoro uye nokuJerusarema kwaaivawo. Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zviwanikwe kwose kwose muJerusarema samatombo uye misidhari ikawanda semionde mujinga mezvikomo. Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe, vatengi vamambo vaitenga kubva kuKuwe. Vaitenga ngoro imwe chete kubva kuIjipiti ichiita mashekeri mazana matanhatua esirivha uye bhiza rimwe chete richiita mashekeri zana namakumi mashanub. Ivo vaizoatengeserawo kumadzimambo ose avaHiti navaAramu. Soromoni akada kuvaka temberi yeZita raJehovha uye nomuzinda wakewo. Akatuma varume zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamabwe, navarume zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo mumakomo uye varume zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri vavo. Soromoni akatumira shoko iri kuna Hiramu mambo weTire: “Nditumireiwo matanda emisidhari sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi pamakavatumira misidhari yokuvakisa muzinda wavo kuti vagaremo. Zvino ndava kuda kuvakira Zita raJehovha Mwari wangu temberi ndigoikumikidza kwaari kuti ndigopisira zvinonhuwira pamberi pake, kuti ndigoisa chingwa chakatsaurwa nguva dzose uye kuti ndigoita zvipiriso zvinopiswa mangwanani namanheru oga oga, pamaSabata, paKugara kwoMwedzi napamitambo yakatarwa yaJehovha Mwari wedu. Uyu ndiwo murayiro wakapiwa Israeri nokusingaperi. “Temberi yandichavaka ichange iri huru nokuti Mwari wedu mukuru kupinda vamwari vose. Asi ndiani angakwanisa kumuvakira temberi, sezvo iye asingakwani kunyange matenga okumusoro-soro? Ko, ini ndini aniko kuti ndingamuvakirawo temberi asi chete senzvimbo yokupisira zvipiriso zvinopiswa pamberi pake? “Saka zvino nditumirewo, murume ano unyanzvi hwokushandisa goridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi uye nemicheka yepepuru nemitsvuku neyebhuruu, ane ruzivo rwezvokuveza kuti ashande muJudha neJerusarema pamwe chete navarume vakachenjera vakasiyiwa naDhavhidhi baba vangu. “Nditumireiwo misidhari, mipaini namatanda emuarigami kubva kuRebhanoni nokuti ndinoziva kuti vanhu venyu vane unyanzvi mukutema matanda ikoko. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete nevako kuti ndiwane matanda mazhinji kwazvo nokuti temberi yandichavaka inofanira kuva huru uye yakanaka zvikuru. Ndichapa varanda vako, vachatema matanda, zviyero zviuru makumi maviria zvegorosi, zviyero zviuru makumi maviri zvehari, mabhati ewaini zviuru makumi mavirib uye mabhati amafuta omuorivhi zviuru makumi maviri.” Hiramu mambo weTire akapindura netsamba kuna Soromoni akati, “Nokuti Jehovha anoda vanhu vake, akakuita mambo wavo.” Uye Hiramu akaenderera mberi achiti, “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe iye akaita denga nenyika! Akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akachenjera, azere noungwaru nokunzwisisa, achavakira Jehovha temberi uye nokuzvivakirawo muzinda wake. “Ndiri kukutumira Hurami-Abhi murume ano unyanzvi kwazvo. Mai vake vaibva kuDhani uye baba vake vaibva kuTire. Akadzidziswa kushanda negoridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi, matombo namatanda uye nemicheka yepepuru neyebhuruu, nemitsvuku, nemicheka yakaisvonaka. Ane ruzivo mukuveza kwamarudzi ose uye anogona kuveza achiteedzera zvose zvaanenge arayirwa. Achashanda nemhizha dzenyu pamwe chete nedzaishe wangu Dhavhidhi baba vako. “Zvino ishe wangu ngaatumire varanda vake gorosi nebhari namafuta omuorivhi newaini zvamakavimbisa, isu tichatema matanda ose kubva kuRebhanoni omuonde uye tichaaeredzesa pamagwa nemugungwa achidzika kusvika kuJopa. Munogona ipapo kuzoatora moaendesa kuJerusarema.” Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva muIsraeri mushure mokuverengwa kwavanhu nababa vake Dhavhidhi; uye vakawanikwa vari zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu. Akarayira zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamatombo uye zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo muzvikomo, uye zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri pamusoro pavo kuti vanhu varambe vachishanda. Ipapo Soromoni akatanga kuvaka temberi yaJehovha muJerusarema pagomo reMoria, apo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi. Pakanga pari paburiro raArauna muJebhusi, nzvimbo yakapiwa naDhavhidhi. Akatanga kuvaka pazuva rechipiri mumwedzi wechipiri mugore rechina rokutonga kwake. Nheyo dzakaiswa dzakanga dziri makubhiti makumi matanhatua pakureba uye makubhiti makumi mavirib paupamhi hwayo (kana tichishandisa kubhiti rechiero chakare). Biravira rapamberi petemberi rakanga rakareba makubhiti makumi maviric pamberi paupamhi hweimba uye rakanga rakareba makubhiti makumi maviri kuenda mudenga. Akafukidza mukati mayo negoridhe rakaisvonaka. Akaroverera muimba huru mapuranga emipaini akaifukidza negoridhe rakaisvonaka akaishongedza nemiti yemichindwe nezvishongo zvengetani. Akashongedza temberi namatombo anokosha. Uye goridhe raakashandisa raiva goridhe rokuParivhaimi. Akafukidzawo matanda edenga magwatidziro, madziro, namakonhi etemberi negoridhe, uye akavezera makerubhi pamadziro. Akavaka Nzvimbo Tsvene-tsvene, kureba kwayo kwaienderana noupamhi hwetemberi makubhiti makumi maviri urefu hwayo uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri. Akafukidza mukati mayo namatarenda mazana matanhatud egoridhe rakaisvonaka. Zvipikiri zvegoridhe zvairema mashekeri makumi mashanue. Akafukidzawo nzvimbo dzokumusoro negoridhe. MuNzvimbo Tsvene-tsvene akagadzira makerubhi maviri akavezwa akaafukidza negoridhe. Mapapiro amakerubhi pamwe chete aisvika makubhiti makumi maviri pakureba kwawo. Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanuf uye raibata madziro etemberi, rimwe bapiro rayo rakareba makubhiti mashanu richibata rimwe bapiro reimwe kerubhi. Zvimwe chetezvo bapiro rimwe rekerubhi rechipiri rakanga rakareba makubhiti mashanu uye raibata mamwe madziro etemberi uye rimwe racho rakareba zvimwe chetezvo makubhiti mashanu richibata bapiro rekerubhi rokutanga. Mapapiro amakerubhi aiva akareba makubhiti makumi maviri. Akanga akamira namakumbo awo, akatarisa kuimba huru. Akagadzira chidzitiro nezvakarukwa zvebhuruu, zvepepuru, nezvitsvuku nomucheka wakaisvonaka, namakerubhi akasonerwapo. Pamberi petemberi akagadzira mbiru mbiri, dzose pamwe chete dzakanga dzakareba makubhiti makumi matatu namashanug, mbiru imwe neimwe yaiva nomusoro pamusoro payo wakanga wakareba makubhiti mashanu. Akagadzira ngetani dzakarukwa akadziisa pamusoro pembiru. Akagadzirawo matamba zana akaasungirira pangetani. Akamisa mbiru pamberi petemberi, imwe zasi uye imwe kumusoro. Yezasi akaitumidza kuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi. Akavaka aritari yendarira yakanga yakareba makubhiti makumi maviria, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri uye yakareba makubhiti gumib kuenda mudenga. Akaita Gungwa resimbi, rakatenderera pakuvakira kwaro, rakareba makubhiti gumi pamuromo waro kubva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi uye makubhiti mashanuc kuenda mudenga. Zvaida tambo yakareba makubhiti makumi matatud kuti ikwanise kupoteredza dziva iri. Pazasi pomuromo, zvifananidzo zvehando zvairipoteredza, zviri gumi pakubhiti rimwe chetee. Hando idzi dzakanga dzakaiswa mumitsara miviri dziri chinhu chimwe chete neGungwa. Gungwa rakanga rakamira pamusoro pehando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa zasi, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva. Gungwa rakanga rakagara pamusoro padzo uye kwakanga kwakatarisa pakati. Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sokufara kwechanzaf uye muromo waro wakanga wakaita somuromo womukombe, seruva rehapa. Raizara namabhati zviuru zvitatug. Akagadzirazve madhishi okusukira gumi akaisa mashanu kudivi rezasi, uye mashanu kudivi rokumusoro. Zvinhu zvose zvaizoshandiswa pazvipiriso zvinopiswa zvaisukirwamo, asi Gungwa raizoshandiswa navaprista pakushamba. Akagadzira zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe, sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa akazviisa mutemberi, zvishanu akaisa zasi zvishanu kumusoro. Akagadzira tafura gumi akadziisa mutemberi, shanu zasi uye shanu kumusoro. Akagadzirawo mbiya dzegoridhe zana dzokusasa. Akagadzira chivanze chavaprista, nechivanze chikuru nemikova yechivanze uye akafukidza mikova nendarira. Akaisa Gungwa kudivi rezasi, pakona yezasi yakadziva kumabvazuva. Akagadzirazve hari nefoshoro nembiya dzokusasa. Saka Hurami akapedza basa raakaitira mambo Soromoni mutemberi yaMwari sezvinotevera: mbiru mbiri; misoro miviri yakanga yakaumbwa sembiya pamusoro pembiru. Matamba mazana mana emimbure miviri nemimwe yakanga yakashongedza misoro yakanga yakaumbwa sembiya pamisoro yembiru; zvigadziko namadhishi azvo; Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro; hari, foshoro, forogo dzenyama, nemimwe midziyo yose. Zvinhu zvose zvakagadzirwa naHurami-Abhi zvamambo Soromoni zvetemberi yaJehovha zvaiva zvendarira inobwinya. Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu mubani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani. Zvinhu izvi zvose zvakagadzirwa naSoromoni zvakanga zvakawanda kwazvo zvokuti uremu hwendarira yakashandiswa hwakanga husingaverengeki. Soromoni akagadzirazve midziyo yose yakanga iri mutemberi yaMwari yaiti: aritari yegoridhe; tafura dzaiva nechingwa choKuvapo; zvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene yomukati sezvakarayirwa; maruva egoridhe nemwenje nembato (dzaiva dzegoridhe chairo); zvidzimiso zvemwenje, mbiya dzokusasa, madhishi nezvaenga zvomoto zvegoridhe yakaisvonaka namakonhi egoridhe, etemberi: makonhi omukati yapaNzvimbo Tsvene-tsvene namakonhi eimba huru. Basa rose rakaitwa naSoromoni patemberi yaJehovha rakati rapera, akauyisa zvinhu zvakanga zvakakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, zvesirivha negoridhe nemidziyo yose akazviisa mudzimba dzokuchengetera dzetemberi yaMwari. Ipapo Soromoni akadana vakuru veIsraeri kuJerusarema, vose vakuru vamarudzi navakuru vemhuri dzeIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni Guta raDhavhidhi. Uye varume vose veIsraeri vakauya pamwe chete kuna mambo panguva yomutambo mumwedzi wechinomwe. Vakuru vose vaIsraeri pavakasvika, vaRevhi vakasimudza areka, uye vakauyisa areka neTende Rokusangana nemidziyo inoyera yaivamo. Vaprista ava vaiva vaRevhi vakazvitakura vakakwira nazvo; uye Mambo Soromoni neungano yose yaIsraeri yakanga yaungana paari vakanga vari pamberi peareka vachibayira makwai mazhinji kwazvo nemombe zhinji zvokuti zvaisagona kunyorwa kana kuverengeka. Ipapo vaprista vakauya neareka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo munzira tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene vakauyisa pasi pemapapiro emakerubhi. Makerubhi akanga akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akanga akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa. Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo, kubva paareka, aigona kuonekwa kubva nechemberi kwomukati menzvimbo tsvene, asi kwete uri kunze kweNzvimbo Tsvene. Uye achiripo nanhasi. Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha pavakaita sungano neIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti. Ipapo vaprista vakabuda kubva muNzvimbo Tsvene. Vaprista vose vakanga varipo vakanga vazvinatsa zvisinei kuti vaiva vamapoka api. VaRevhi vose vaiva vaimbi vaiti Asafi, Hemani, Jedhutuni navanakomana vavo nehama dzavo, vakamira kumabvazuva kwearitari vakapfeka micheka yakaisvonaka vachiridza makandira, mitengeranwa nembira. Vakanga vachiteverwa navaprista zana namakumi maviri vairidza hwamanda. Varidzi vehwamanda navaimbi vakabatana pamwe chete sevane inzwi rimwe chete, vachirumbidza nokuvonga Jehovha. Zvichibatana nehwamanda makandira nezvimwe zviridzwa vakasimudzira manzwi avo vachirumbidza Jehovha vakaimba vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Ipapo temberi yaJehovha yakafukidzwa negore, uye vaprista vakatadza kuita basa ravo nokuda kwegore iroro, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza temberi yaMwari. Ipapo Soromoni akati, “Jehovha akati achagara mugore dema. Ndakuvakirai temberi yakanaka kwazvo, nzvimbo yokuti mugare nokusingaperi.” Ungano yose yaIsraeri ichakamirapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza. Ipapo akati, “Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri iye azadzisa namaoko ake zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi. Nokuti akati, ‘Kubva pazuva randakaburitsa vanhu vangu muIjipiti, handina kumbosarudza guta murudzi rupi norupi rwaIsraeri kuti Zita rangu rivakirwe temberi kuti rivepo, uye handina kumbosarudza mumwe munhu kuti ave mutungamiri wavanhu vangu Israeri. Asi zvino ndasarudza Jerusarema nokuda kweZita rangu kuti rivepo uye ndasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu Israeri.’ “Baba vangu Dhavhidhi vaiva nazvo mumwoyo mavo kuti vavakire Zita raJehovha Mwari waIsraeri temberi. Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘nokuti zvaiva mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi wakaita zvakanaka ukava nazvo mumwoyo mako. Asi kunyange zvakadaro, hausi iwe uchavaka temberi asi mwanakomana wako, anova nyama yako neropa rako, ndiye achavakira Zita rangu temberi.’ “Jehovha akachengeta chivimbiso chavakaita. Ini ndakatevera Dhavhidhi baba vangu uye zvino ndava kugara pachigaro choushe chaIsraeri sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndakavakira zita raJehovha Mwari waIsraeri temberi. Imomo ndakaisa areka ine sungano yaJehovha yaakaita navanhu veIsraeri.” Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri akatambanudza maoko ake. Zvino akanga agadzira pokumira pakakwirira nendarira, pakanga pakareba makubhiti mashanua, pane upamhi hwamakubhiti mashanu uye pakakwirira makubhiti matatub, uye akanga apaisa pakati pechivanze chokunze. Akamira pokumira paya akapfugama pamberi peungano yose yaIsraeri akatambanudzira maoko ake kudenga. Akati: “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kudenga kana panyika. Imi munochengeta sungano yorudo navaranda venyu vanoramba vachifamba munzira yenyu nomwoyo wose. Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; nomuromo wenyu makavimbisa uye noruoko rwenyu makazadzisa sezvazvakaita nhasi. “Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu zvivimbiso zvamakaita kwaari pamakati, ‘Haungatongokundikani kuti uve nomunhu achagara pamberi pangu pachigaro choushe chaIsraeri, kana chete vanakomana vako vakachenjerera mune zvose zvavanoita kuti vafambe pamberi pangu maererano nomurayiro, sezvawakaita iwe.’ Uye zvino, haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, itai kuti shoko renyu ramakavambisa muranda wenyu Dhavhidhi rive rechokwadi. “Asi zvechokwadi Mwari angagare panyika navanhu here? Hamungakwani mumatenga kunyange matenga okumusoro-soro, ko, kuzoti temberi yandavaka! Kunyange zvakadaro teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake kuti anzwirwe tsitsi, imi Jehovha Mwari wangu. Inzwai kuchema nomunyengetero uri kunyengeterwa nomuranda wenyu pamberi penyu. Meso enyu ngaatarire kutemberi iyi masikati nousiku, nzvimbo iyi yamakati muchaisa Zita renyumo. Inzwai munyengetero womuranda wenyu waanonyengetera akatarisa kunzvimbo ino. Inzwai mikumbiro yomuranda wenyu neyavanhu venyu Israeri pavanenge vachinyengetera vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai kubva kudenga kwamunogara uye kana manzwa muregerere. “Kana munhu akatadzira muvakidzani wake uye kana akanzi aite mhiko uye kana akauya akazopika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino, ipapo inzwai muri kudenga uye mugoita. Tongai pakati pavaranda venyu, muchimuripisa ane mhosva nokuburutsa pamusoro wake izvo zvaakaita. Ratidzai pachena uyo asina mhosva kuti haana zvaakatadza uye musimbise kusatadza kwake. “Kana vanhu venyu Israeri vakakundwa nomuvengi nokuti vakakutadzirai uye kana vakatendeuka vakapupura zita renyu, vachinyengetera uye vachikumbira pamberi penyu mutemberi muno, ipapo inzwai kubva kudenga uye muregerere chivi chavanhu venyu Israeri uye mugovadzosera kunyika yamakavapa ivo namadzibaba avo. “Kana matenga akazarirwa uye kukasanaya mvura nokuti vanhu venyu vakutadzirai uye kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino vakapupura zita renyu uye vakatendeuka kubva muchivi chavo nokuti imi mavarwadzisa, ipapo inzwai kubva kudenga muregerere chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira kwayo yokururama, uye tumirai mvura inaye panyika yamakapa vanhu venyu senhaka. “Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunji, kana kuvhuvha kana mhashu kana magutaguta kana kuti vavengi vakavakomba mumaguta avo, ringava dambudziko ripi zvaro kana chirwere chorudzi rupi chingauya, uye kana munyengetero kana chikumbiro chikaitwa noupi zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achinyatsonzwisisa matambudziko namarwadzo ake, uye kana akatambanudzira maoko ake kunzvimbo ino, ipapo inzwai kubva kudenga kwamunogara. Regererai uye muitire mumwe nomumwe sezvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi moga ndimi munoziva mwoyo yavanhu), kuitira kuti vagokutyai uye vagofamba munzira dzenyu panguva dzose dzavachararama munyika yamakapa kumadzibaba edu. “Kana ari mutorwa asati ari mumwe wavanhu venyu Israeri asi akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru noruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarisa kutemberi ino, ipapo inzwai kubva kudenga, kwamunogara uye muitire mutorwa chipi nechipi chaanokumbira kwamuri kuitira kuti vanhu vose vapanyika vazive zita renyu uye vakutyei sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vagoziva kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu. “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisana navavengi vavo, kwose kwose kwamunenge mavatuma, uye kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kuguta rino ramakasarudza nokutemberi yandavakira Zita renyu, ipapo inzwai ikoko kudenga munamato wavo nechikumbiro chavo, mutsigire mhaka yavo. “Kana vakakutadzirai, nokuti hapana munhu asingatadzi, uye kana mukavatsamwira mukavapa kumuvengi, anovatapa achivaendesa kunyika iri kure kana pedyo; uye kana vakashandura mwoyo vari kunyika yavanenge vari nhapwa, vakatendeuka vakakumbira kwamuri vari munyika youtapwa vakati, ‘Takatadza, takakanganisa uye takaita zvakaipa,’ uye kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wose munyika youtapwa kwavakaendeswa, uye vakanyengetera vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza uye vakatarisa kutemberi yandakavakira Zita renyu; ipapo kubva kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nemikumbiro yavo uye muvatsigire muvakundise pamhaka yavo. Uye muregerere vanhu venyu vanenge vakutadzirai. “Zvino Mwari wangu, dai meso enyu aona uye nzeve dzenyu dzateerera minyengetero ichanyengeterwa panzvimbo iyi. “Zvino simukai imi Jehovha Mwari, muuye panzvimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu. Dai vaprista venyu imi Jehovha Mwari vashongedzwa noruponeso. Vatsvene venyu ngavafare mukunaka kwenyu. Haiwa Jehovha Mwari, musaramba muzodziwa wenyu. Rangarirai rudo rukuru rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi muranda wenyu.” Soromoni paakapedza kunyengetera, moto wakaburuka kubva kudenga ukapisa chipiriso chinopiswa nezvibayiro uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi. Vaprista vakatadza kupinda mutemberi yaJehovha nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwakaizadza. VaIsraeri vose pavakaona moto uchiburuka uye kubwinya kwaJehovha kuri pamusoro petemberi, vakapfugama pachivara zviso zvavo zvakatarisa pasi, uye vakanamata vakavonga Jehovha vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Ipapo mambo navanhu vose vakapa zvibayiro pamberi paJehovha. Uye Mambo Soromoni akapa chibayiro chemombe zviuru makumi maviri nezviviri namakwai nembudzi zviuru zana namakumi maviri. Saka mambo navanhu vose vakakumikidza temberi yaMwari. Vaprista vakaenda panzvimbo dzavo sezvakaitwawo navaRevhi vane zviridzwa zvaJehovha zvakanga zvagadzirwa naMambo Dhavhidhi kuti zvishandiswe pakurumbidza Jehovha uye izvo zvakashandiswa pavakavonga vachiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Kune rumwe rutivi rwakatarisana navaRevhi, vaprista vakaridza hwamanda dzavo uye vaIsraeri vose vakanga vakamira. Soromoni akatsaura nzvimbo yapakati pechivanze chapamberi petemberi yaJehovha uye ipapo akapa zvipiriso zvinopiswa namafuta ezvipiriso zvokuwadzana, nokuti aritari yendarira yaakanga agadzira yaisakwana zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu namafuta. Saka Soromoni akatamba mutambo panguva iyoyo kwamazuva manomwe, uye Israeri yose yakanga inaye, ungano huru kwazvo, vanhu vaibva kuRebho Hamati kusvika kuRwizi rweIjipiti. Pazuva rorusere vakaungana pamwe chete nokuti vakanga vapemberera kutsaurwa kwearitari kwamazuva manomwe uye mutambo uyu kwamamwezve mazuva manomwe. Pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendesa vanhu kudzimba dzavo, vachifara uye mwoyo yavo ichifara nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Dhavhidhi naSoromoni nokuvanhu vake Israeri. Soromoni paakapedza temberi yaJehovha nomuzinda wake, uye abudirira mukuita zvose zvaaiva nazvo mupfungwa dzake kuita mutemberi yaJehovha nomumuzinda wake, Jehovha akazviratidza kwaari usiku akati, “Ndanzwa munyengetero wako uye ndazvisarudzira nzvimbo ino setemberi yezvibayiro. Kana ndikapfiga matenga kukasava nemvura inonaya, kana kuti ndikarayira mhashu kuti dziparadze nyika kana kuti ndikatuma denda pakati pavanhu vangu, kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo. Zvino meso angu achaona uye nzeve dzangu dzichanzwa minyengetero ichapirwa munzvimbo ino. Ndasarudza ndikatsaura temberi ino kuti Zita rangu rivepo nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvicharamba zviripo. “Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandichakurayira uye ukachengeta mitemo yangu nemirayiro yangu, ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hauchazongokundikani kuva nomunhu achatonga Israeri.’ “Asi kana mukatsauka mukasiya mitemo nezvandakakurayira, mukaenda kundoshumira vamwe vaMwari mukavanamata, ipapo ndichadzura Israeri kubva kunyika yangu, yandakavapa, uye ndicharasira kure temberi iyi yandakazvitsaurira Zita rangu. Ndichaiita tsumo nechiseko pakati pamarudzi ose. Uye kunyange temberi ino ichishamisa zvakadai, vose vachapfuura napairi vachakanuka vagoti, ‘Seiko Jehovha akaita chinhu chakadai kunyika ino nokutemberi iyi?’ Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo, akavabudisa kubva muIjipiti uye vakanamatira kuna vamwe vamwari uye vachivanamata nokuvashumira, ndokusaka akauyisa njodzi iyi pavari.’ ” Kwapera makore makumi maviri, munguva iyo Soromoni akavaka temberi yaJehovha nomuzinda wake, Soromoni akavaka patsva misha yaakanga apiwa naHiramu, akagarisa vaIsraeri mairi. Ipapo Soromoni akaenda kuHamati Zobha, akandorikunda. Akavaka Tadhimori murenje namaguta ose okuchengetera zvinhu aakavaka muHamati. Akavaka patsva Bheti Horoni Yokumusoro neBheti Horoni Yezasi samaguta akakomboredzwa namasvingo namasuo namazariro, pamwe chete naBhaarati namaguta ake okuchengetera ose namaguta ose engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaida kuvakwa muJerusarema muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. Vanhu vose vakasiyiwa kubva kuvaHiti, vaAmoni, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri) zvichireva kuti vana vavo vakasara munyika, avo vasina kuparadzwa navaIsraeri, ava Soromoni akavatora kuti vave vashandi vake vechibharo sezvazviri nanhasi. Asi Soromoni haana kuita vaIsraeri nhapwa kuti vamuitire basa rake; vaiva varwi vake, vatungamiri vavakuru vamapoka, uye vatungamiri vengoro navachairi vengoro. Vaivazve vakuru vavabati vamambo Soromoni, vakuru vamazana maviri navashanu vaitungamirira vanhu. Soromoni akauyisa mwanasikana waFaro kubva kuGuta raDhavhidhi akamuisa mumuzinda waakanga amuvakira nokuti akati, “Mudzimai wangu haafaniri kugara mumuzinda waDhavhidhi mambo waIsraeri nokuti nzvimbo dzose dzakambopinzwa areka yaJehovha itsvene.” Paaritari yaJehovha yaakanga avaka pamberi pebiravira, Soromoni akapisira zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, maererano nezvaidikanwa zuva nezuva pazvipiriso sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa naMozisi pamaSabata, Kugara kwoMwedzi weChingwa Chisina Mbiriso, Mutambo waMavhiki noMutambo waMatumba. Maererano nomutemo wababa wake Dhavhidhi, akapa mapoka avaprista mabasa avo uye vaRevhi kuti vatungamirire kurumbidza uye kuti vabatsire vaprista sezvaidikanwa zuva nezuva. Akapazve mabasa akasiyana-siyana, nokuti izvi ndizvo zvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Havana kupesana nokurayira kwamambo kuvaprista kana kuvaRevhi munyaya ipi neipi kusanganisira yenzvimbo dzokuchengetera upfumi. Basa rose raSoromoni rakaitwa kubva pazuva rokuvakwa kwenheyo dzetemberi yaJehovha kusvikira pakupedziswa kwayo. Saka temberi yaJehovha yakapedzwa. Ipapo Soromoni akaenda kuEzioni Gebheri neErati pamahombekombe egungwa munyika yeEdhomu. Uye Hiramu akatumira zvikepe zvake zvakatungamirirwa namachinda ake varume vaiziva gungwa. Ava navanhu vaSoromoni, vakaenda nezvikepe kuOfiri uye vakandouya namatarenda mazana mana namakumi mashanua egoridhe, vakaapa kuna Mambo Soromoni. Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, akauya kuJerusarema kuti amuedze nemibvunzo yakaoma kwazvo. Akasvika navanhu vazhinji kwazvo nengamera akatakura zvinonhuwira, goridhe rakawanda, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye zvose zvaiva mupfungwa dzake. Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose, hapana chakanga chakanyanya kumuomera kuti amutsanangurire. Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni, nomuzinda waakanga avaka, zvokudya zvaiva patafura yake, magariro amakurukota ake, varanda vake vari muzvipfeko zvavo, vadiri vezvokunwa vari muzvipfeko zvavo nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha akapera mweya. Akati kuna Mambo, “Zvandakanzwa munyika yangu pamusoro pezvamakaita nouchenjeri hwenyu ndezvechokwadi. Asi handina kutenda zvaitaurwa kusvikira ndauya kuzozvionera nameso angu. Chokwadi, handina kutongonzwa kunyange hafu yokukura kwouchenjeri hwenyu, mapfuura nokure zvandakanzwa. Mufaro wakawanda sei unofanira kungova una vanhu venyu! Anofara sei machinda enyu anoramba amire pamberi penyu achinzwa uchenjeri hwenyu. Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu akafadzwa nemi akakuisai pachigaro chake samambo kuti mutongere Jehovha Mwari wenyu. Nokuda kwerudo rwaMwari wenyu kuIsraeri nokudokwairira kwake kuvasimudzira nokusingaperi, akakuitai mambo pamusoro pavo kuti muchengetedze kururamisira nokururama.” Ipapo akapa mambo matarenda zana namakumi maviria egoridhe, zvinonhuwira zvakawanda kwazvo namatombo anokosha. Hakuna kunge kwambova nezvinonhuwira zvakaita sezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha. (Vanhu vaHiramu navanhu vaSoromoni vakauya negoridhe kubva kuOfiri; vakauyazve namatanda emiarigumi namatombo anokosha. Mambo akashandisa matanda emiarigumi kugadzira zvikwiriso zvetemberi yaJehovha nezvemuzinda wamambo, uye kugadzirisa mbira nemitengeranwa yavaimbi. Hapana zvakaita sezvizvi zvakanga zvatomboonekwa muJudha). Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; akamupa zvakawanda kupfuura zvaakauya nazvo kwaari. Ipapo akabva adzokera navaranda vake kunyika yake. Uremu hwegoridhe raipiwa Soromoni hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu ane matanhatub pagore roga roga, tisingaverengi mitero yaiuyiswa navatengesi navashambadziri. Uye madzimambo ose eArabhia navabati venyika vaiuyisa goridhe nesirivha kuna Soromoni. Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzegoridhe yakapambadzirwa mazana matanhatu amashekeric egoridhe akapambadzirwa aipinda munhoo imwe neimwe. Akagadzirazve nhoo diki dzaisvika mazana matatu negoridhe rakapambadzirwa, namashekeri mazana matatud egoridhe munhoo imwe neimwe. Mambo akaaisa muMuzinda weSango reRebhanoni. Ipapo mambo akagadzira chigaro chikuru choushe nenyanga dzenzou uye akachifukidza negoridhe rakaisvonaka. Chigaro ichi chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu nechitsiko chetsoka chegoridhe chakanga chakabatana nechigaro ichi. Kumativi ose echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko, neshumba yakamira parutivi pechimwe nechimwe chazvo. Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pazvikwiriso zvitanhatu, imwe chete kumucheto kwechikwiriso chimwe nechimwe. Hakuna zvakaita seizvi zvakanga zvambogadzirirwa humwe umambo. Mikombe yose yokunwa nayo yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye zvose zvomumba zvaiva muMuzinda weSango reRebhanoni zvaiva zvegoridhe yakaisvonaka. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti pamazuva aSoromoni sirivha yaionekwa seisina basa. Mambo aiva nezvikepe zvokushambadzira zvaienda kunzvimbo dzakasiyanasiyana zvaifambiswa navanhu vaHurami. Kamwe chete mumakore matatu zvaidzoka zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou netsoko namakudo. Mambo Soromoni akanga ari mukuru kwazvo muupfumi nouchenjeri kupfuura madzimambo ose enyika. Madzimambo ose aitsvaga kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make. Gore negore vose vaiuya nezvipo midziyo yesirivha nezvegoridhe, nenguo, zvombo zvokurwa nazvo nezvinonhuwira, namabhiza nembongoro. Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zviuru zvina, namabhiza zviuru gumi nezviviri zvaaichengetera mumaguta engoro nemuJerusarema maaiva. Aitonga madzimambo ose kubva kuRwizi kusvika kunyika yavaFiristia kusvikira kumuganhu neIjipiti. Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye misidhari kuti iwande semionde yemisikamo mujinga mamakomo. Mabhiza aSoromoni akanga atengwa kubva kuIjipiti nokubva kune dzimwe nyika. Mamwe mabasa okutonga kwaSoromoni kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo yomuprofita Natani, mashoko akaprofitwa naAhija muShironi nomuzviratidzo zvaIdho muoni pamusoro paJerobhoamu mwanakomana waNebhati? Soromoni akatonga muJerusarema pamusoro peIsraeri yose kwamakore makumi mana. Ipapo akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Uye Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Rehobhoamu akaenda kuShekemu, nokuti vaIsraeri vose vakanga vaenda ikoko kundomuita mambo. Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paakanzwa izvi (aiva kuIjipiti, kwaakanga aenda achitiza Mambo Soromoni), akadzoka kubva kuIjipiti. Saka vakandodana Rehobhoamu, uye iye neIsraeri yose vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari, “Baba vako vakatitakudza joko rinorema kwazvo, asi zvino chitapudzai kushanda kwakaomarara nejoko rinorema ravakaisa patiri, uye isu tichakushandirai.” Rehobhoamu akapindura akati, “Dzokai kwandiri mumazuva matatu.” Saka vanhu vakaenda havo. Ipapo Mambo Rehobhoamu akandobvunza vakuru vaisishandira baba vake Soromoni panguva yavakanga vari vapenyu. Akavabvunza achiti, “Ko, izano ripi ramungandipa kuti ndipindure vanhu ava?” Vakamupindura vakati, “Kana mukaitira vanhu ava tsitsi mukavafadza mukavapa mhinduro yakanaka vacharamba vari varanda venyu.” Asi Rehobhoamu akaramba zano iri raakapiwa navakuru akandobvunza majaya aakanga akura nawo uye vaimushandira. Akavabvunza akati, “Mungandipa zano ripi? Tingapindura sei vanhu ava vanoti kwandiri, ‘Tirerutsirei joko ratakatakudzwa nababa venyu?’ ” Majaya aakanga akura nawo akapindura akati, “Taurirai vanhu vakati kwamuri, ‘Baba venyu vakatitakudza joko rinorema asi itai kuti joko redu rireruke,’ kuti, ‘Munwe wangu mudiki mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu. Baba vangu vakaisa joko rinorema pamusoro penyu; ini ndichariita kuti rinyanye kurema. Baba vangu vaikurovai neshamhu; ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ” Mushure mamazuva matatu Jerobhoamu navanhu vose vakadzokera kuna Rehobhoamu sezvakanga zvataurwa namambo kuti, “Dzokai kwandiri mumazuva matatu.” Mambo akapindura nehasha. Achiramba zano raakanga apiwa navakuru, akateerera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakakurovai neshamhu ini ndichakurovai nezvinyavada.” Saka mambo haana kuteerera kuvanhu, nokuti kuitika kwezvinhu uku kwaibva kuna Mwari, kuti shoko rakanga rataurwa naJehovha kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuromo waAhija muShironi rizadziswe. VaIsraeri vose pavakaona kuti mambo aramba kuvateerera, vakapindura mambo vachiti, “Ko, tine mugove upi muna Dhavhidhi, chikamu chipiko mumwanakomana waJese? Kumatende enyu, imi Israeri! Zvichengetere imba yako, iwe Dhavhidhi!” Saka vaIsraeri vose vakaenda kumisha yavo. Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mukuru wavashandi vechibharo, asi vaIsraeri vakamutema namabwe kusvikira afa. Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema. Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi. Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akakurudzira imba yaJudha naBenjamini, varume zviuru zana namakumi masere zvavarwi, kuti varwisane neIsraeri vatorezve umambo hwaRehobhoamu. Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti, “Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBenjamini, uti, ‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’ ” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu. Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti: Bheterehema, Etami, Tekoa, Bheti Zuri, Soko, Adhurami, Gati, Maresha, Zifi, Adhoraimi, Rakishi, Azeka, Zora, Aijaroni neHebhuroni. Aya ndiwo aiva maguta enhare muJudha neBhenjamini. Akasimbisa nhare dzawo akaisa vakuru vehondo maari, nezvokudya zvizhinji, mafuta omuorivhi newaini. Akaisa nhoo namapfumo mumaguta ose, akaaita kuti ave akasimba kwazvo. Saka Judha neBhenjamini vaiva vake. Vaprista navaRevhi kubva kumatunhu ose muIsraeri yose vaiva kurutivi rwake. Vaprista navaRevhi vakatosiya mafuro ezvipfuwo zvavo nemidziyo yavo vakauya kuJudha neJerusarema nokuti Jerobhoamu navanakomana vake vakanga vavaramba savaprista vaJehovha. Uye iye akagadza, vaprista vake pachake kuvaisa panzvimbo dzakakwirira uye nezvifananidzo zvembudzi nezvemhuru zvaakanga agadzira. Vose vaibva kumarudzi ose aIsraeri vakaisa mwoyo yavo pakutsvaga Jehovha, Mwari waIsraeri, vakatevera vaRevhi kuJerusarema kuti vandopa zvibayiro kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo. Vakasimbisa umambo hwaJudha vakatsigira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni kwamakore matatu, vachifamba munzira dzaDhavhidhi naSoromoni panguva iyoyi. Rehobhoamu akawana Maharati aiva mwanasikana womwanakomana waDhavhidhi ainzi Jerimoti uye waAbhihairi mwanasikana womwanakomana waJese ainzi Eriabhi. Akamuberekera vanakomana vaiti, Jeushi, Shemaria naZahamu. Ipapo akawana Maaka mwanasikana waAbhusaromu akamuberekera Abhija, Atai, Ziza naSheromiti. Rehobhoamu aida Maaka mwanasikana waAbhusaromu kupfuura vamwe vakadzi vake navarongo vake vose. Pamwe chete aiva navakadzi gumi navasere, navarongo makumi matanhatu, vanakomana makumi maviri navasere, navanasikana makumi matanhatu. Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka kuti ave muchinda mukuru pakati pavana vababa vake kuitira kuti azova mambo. Akaita zvakachenjera akaparadzira vamwe vavanakomana vake mumatunhu ose eJudha neBhenjamini nokumaguta ose enhare. Akavapa zvinhu zvizhinji akavawanira vakadzi vakawanda. Mushure mokunge chinzvimbo chaRehobhoamu samambo chasimbiswa, uye paakanga asimba, iye neIsraeri yose pamwe chete vakasiya murayiro waJehovha. Nokuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Shishaki mambo weIjipiti akarwisa Jerusarema mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu. Nengoro chiuru namazana maviri navatasvi vamabhiza zviuru makumi matanhatu navarwi vokuRibhiya, Suki neEtiopia vakanga vasingaverengeki vaakauya navo kubva kuIjipiti, akakunda maguta enhare eJudha kusvika kuJerusarema. Ipapo muprofita Shemaya akauya kuna Rehobhoamu nokuvatungamiri veJudha vakanga vaungana muJerusarema vachitya Shishaki, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, ‘Makandirasa; naizvozvo zvino ndava kukurasirai kuna Shishaki.’ ” Vatungamiri veIsraeri namambo vakazvininipisa vakati, “Jehovha akarurama.” Jehovha pavakaona kuti vazvininipisa shoko iri raJehovha rakauya kuna Shemaya richiti, “Nokuda kwokuti vazvininipisa, handichavaparadzi asi munguva pfupi ndichavanunura. Kutsamwa kwangu hakuchadururirwa paJerusarema kubudikidza naShishaki. Zvisinei hazvo, vachava pasi pake kuti vadzidze mutsauko uri pakati pokundishumira nokushumira madzimambo edzimwe nyika. Shishaki mambo weIjipiti paakarwisa Jerusarema akatakura pfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yomumuzinda wamambo. Akatora zvose kusanganisira nhoo dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni. Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kutsiva idzo dzakanga dzatorwa akadzipa vakuru vavarindi vaiva pabasa pamukova wokupinda mumuzinda woumambo. Pose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaienda naye, vakabata nhoo idzi uye vapedza vaizodzidzorera kuimba yavarindi. Nokuti Rehobhoamu akazvininipisa kutsamwa kwaJehovha kwakabva kwaari, uye haana kuparadzwa zvachose. Zvirokwazvo makava nezvimwe zvakanaka muJudha. Mambo Rehobhoamu akazvisimbisa kwazvo muJerusarema akaramba ari mambo. Akanga ane makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta raJehovha raakanga azvisarudzira pamarudzi ose eIsraeri kuti aise Zita rake. Zita ramai vake rainzi Naama; vaiva muAmoni. Akaita zvakaipa nokuti akanga asina kuisa mwoyo wake pakutsvaga Jehovha. Mabasa okutonga kwaRehobhoamu kubva kutanga kwake kusvikira kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo raShemaya muprofita neraIdho muoni? Paiva nokurwisana nguva dzose pakati paRehobhoamu naJerobhoamu. Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Uye Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore gumi norusere rokutonga kwaJerobhoamu, Abhija akava mambo weJudha. Uye akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka, mwanasikana waUrieri weGibhea. Pakava nokurwisana pakati paAbhija naJerobhoamu. Abhija akaenda kundorwa nehondo yaive navarume zviuru mazana mana vaigona kurwa, uye Jerobhoamu akamurwisa navarwi zviuru mazana masere vaigona kurwa. Abhija akamira paGomo reZemaraimi munyika yezvikomo yeEfuremu akati, “Iwe Jerobhoamu neIsraeri yose teererai kwandiri! Hamuzivi here kuti Jehovha Mwari waIsraeri, akapa umambo hwaIsraeri kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi nesungano yemunyu?” Asi Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mumwe wavakuru vaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi akapandukira mambo wake. Vamwe vakapikisana naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni paakanga achiri mudiki asati ava kugona kuzvisarudzira zvaaida uye asati asimba kuti angarwisana navo. “Uye zvino mava kurangana kurwisana noumambo hwaJehovha, huri mumaoko ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Zvirokwazvo muri hondo huru; uye mune zvimhuru zvegoridhe zvakagadzirwa naJerobhoamu kuti zvive vamwari venyu. Asi hamuna kudzinga here vaprista vaJehovha, vanakomana vaAroni navaRevhi mukagadza vaprista venyu moga sezvinoitwa navamwe vanhu vedzimwe nyika? Ani naani anenge auya kuzozvitsaura nehando diki namakondohwe manomwe anogona kuva muprista wezvisiri zvamwari. “Asi kana tiri isu, Jehovha ndiye Mwari wedu, uye hatina kumurasa. Vaprista vanoshumira Jehovha vana vaAroni, uye vaRevhi vanovabatsira. Mangwanani namanheru oga oga vanopisa zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuwira kuna Jehovha. Vanoisa chingwa patafura yakanatswa uye vanobatidza mwenje iri pazvigadziko zvegoridhe manheru oga oga. Tiri kutevera zvinodikanwa naJehovha Mwari wedu asi imi makamurasa. Mwari anesu; ndiye mutungamiri wedu. Vaprista vake nehwamanda dzavo vachakuridzirai mhere yehondo. Varume veIsraeri, musarwisana naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu, nokuti hamuzokundi.” Zvino Jerobhoamu akanga atuma mamwe mapoka avarwi nokushure kwavo kuitira kuti iye paainge ari mberi kwaJudha vamwe vainge vakavandira shure kwavo. VaJudha vakatendeuka vakaona kuti vakanga vava kurwiswa kwose mberi neshure. Ipapo vakachema kuna Jehovha. Vaprista vakaridza hwamanda dzavo, varume veJudha vakaita mhere yehondo. Pakangonzwikwa mhere yehondo, Mwari akaparadza Jerobhoamu neIsraeri yose pamberi paAbhija navanhu veJudha. VaIsraeri vakatiza pamberi paJudha uye Mwari akavaisa mumaoko avo. Abhija navanhu vake vakaparadza vazhinji vavo kwazvo, zvokuti zviuru mazana mashanu zvavarume vaigona kurwa pakati paIsraeri vakafa. Varume veIsraeri vakakundwa panguva iyi, uye varume veJudha vakakunda nokuti vaivimba naJehovha, Mwari wamadzibaba avo. Abhija akatevera Jerobhoamu akatora kubva kwaari maguta anoti Bheteri, Jeshana, neEfuroni nemisha yawo yakapoteredza. Jerobhoamu haana kuzotongazve panguva yaAbhija. Uye Jehovha akamurova akafa. Asi Abhija akakura pasimba. Akawana vakadzi gumi navana uye akava navanakomana makumi maviri nevaviri uye navanasikana gumi navatanhatu. Mamwe mabasa okutonga kwaAbhija, zvaakaita nezvaakataura, zvakanyorwa mumashoko ezvinyorwa zvamuprofita Idho. Uye Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake akamutevera kuva paumambo, uye mumazuva ake nyika yakava norugare kwamakore gumi. Asa akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake. Akabvisa aritari dzavatorwa nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa matombo anoera uye akatema matanda aAshera. Akarayira Judha kuti itsvage Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, uye kuti vateerere mirayiro yake nemitemo yake. Akabvisa nzvimbo dzakakwirira nearitari dzezvinonhuwira mumaguta ose muJudha, uye ushe hwakava norugare pasi pake. Akavaka maguta ane masvingo eJudha, sezvo nyika yaiva norugare. Hapana akarwa naye panguva iyoyo nokuti Jehovha vakanga vamupa zororo. Akati kuJudha, “Ngativakei maguta aya, uye tiise masvingo okuapoteredza, ane shongwe, masuo namazariro. Nyika ichiri yedu, nokuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu; takamutsvaga uye akatipa zororo kumativi ose.” Saka vakavaka uye vakabudirira. Asa aiva nehondo yaisvika zviuru mazana matatu kubva kuJudha, vakanga vakapakata nhoo huru namapfumo, uye vamwe zviuru mazana maviri namakumi masere kubva kuBhenjamini, vakanga vakapakata nhoo diki neuta. Ava vose vaiva varwi vakashinga. Zera muEtiopia akauya kuzovarwisa nehondo huru kwazvo nengoro mazana matatu uye akauya akasvika muMaresha. Asa akabuda akandosangana naye uye vakamira panzvimbo dzavo dzokurwa vari mumupata weZefata pedyo neMaresha. Ipapo akadana kuna Jehovha Mwari wake akati, “Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi angabatsira vasina simba pavanorwisana navane simba. Tibatsireiwo, imi Jehovha Mwari, nokuti tinovimba nemi, uye muzita renyu tauya kuzorwisana nehondo yakakura ikadai. Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu; musarega munhu achikukundai.” Jehovha akaparadza vaEtiopia pamberi paAsa naJudha vakatiza, uye hondo yaAsa yakavatandanisa kusvika kuGerari. VaEtiopia vazhinji kwazvo vakafa zvokuti havanazve kuzombodzokera pasimba rakare; vakabva vaparadzwa pamberi paJehovha navarwi vake. Varume veJudha vakatakura upfumi uzhinji kwazvo hwavakapamba. Vakaparadza misha yose yakanga yakapoteredza Gerari, nokuti kutsamwa kwaJehovha kwakanga kwawira pavari. Vakapamba misha iyi yose, nokuti yaiva nezvokupamba zvakawanda. Vakarwisazve mapoka avafudzi vakatora makwai akawanda nembudzi nengamera zhinji. Ipapo vakadzokera kuJerusarema. Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi. Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, “Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakarusai. Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro. Asi panguva yokutambudzika kwavo vakatendeukira kuna Jehovha, Mwari waIsraeri vakamutsvaka, uye iye akawanikwa navo. Pamazuva iwayo zvakanga zvine njodzi kufamba-famba nokuti vanhu vose venyika dzakawanda vakanga vachitambudzika kwazvo. Imwe nyika yaiparadzwa neimwe uye rimwe guta richiparadzwa nerimwe, nokuti Mwari aivatambudza namatambudziko emhando dzakasiyana-siyana. Asi imi, ivai nesimba uye musaora mwoyo nokuti mabasa enyu achawana mubayiro.” Asa paakanzwa mashoko aya nekuporofita kwaAzaria mwanakomana waOdhedhi muprofita akasimbiswa kwazvo. Akabvisa zvifananidzo zvinonyangadza kubva panyika yose yeJudha neBhenjamini nomune mamwe maguta aakanga apamba muzvikomo zveEfuremu. Akavaka patsva aritari yaJehovha yaiva pamberi pebiravira retemberi yaJehovha. Ipapo akaunganidza Judha neBhenjamini yose navanhu vaibva kuEfuremu, Manase neSimeoni vakanga vagere pakati pavo; nokuti vanhu vazhinji kwazvo vakanga vauya kwaari vachibva kuIsraeri pavakaona kuti Jehovha Mwari wake aiva naye. Vakaungana paJerusarema mumwedzi wechitatu wegore regumi namashanu rokutonga kwaAsa. Panguva iyoyo vakabayira kuna Jehovha mombe mazana manomwe makwai nembudzi zviuru mazana manomwe kubva paupfumi hwezvavakapamba zvavakadzoka nazvo. Vakaita sungano yokutsvaka Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, nemwoyo yavo nemweya yavo yose. Vose vakanga vasingazotsvaki Jehovha, Mwari waIsraeri, vaizofanira kuurayiwa, zvisinei kuti mudiki kana mukuru, murume kana mukadzi. Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru nokudanidzira uye nehwamanda nenyanga. Judha yose yakafara nokuda kwemhiko iyi nokuti vakanga vapika nomwoyo wose. Vakatsvaka Mwari nomwoyo unoda, uye iye akawanikwa navo. Saka Jehovha akavapa zororo kumativi ose. Mambo Asa akabvisazve ambuya vake Maaka kubva panzvimbo yavo samai vamambo nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda riya akarityoratyora akaripisa muMupata weKidhironi. Kunyange zvake asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira kubva muIsraeri, Asa akanga akazvipira nomwoyo wake wose kuna Jehovha upenyu hwake hwose. Akauyisa mutemberi yaMwari sirivha negoridhe nemidziyo yaakanga akumikidza iye nababa vake. Hakunazve kuzoita hondo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokutonga kwaAsa. Mugore ramakumi matatu namatanhatu rokutonga kwaAsa Bhaasha mambo weIsraeri akamukira Judha akandovakira Rama masvingo kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha. Ipapo Asa akatora sirivha negoridhe kubva mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nokubva mumuzinda wake akazvitumira kuna BheniHadhadhi mambo weAramu, uyo aitonga kuDhamasiko. Akati, “Ngapave nechibvumirano pakati pangu nemi, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndiri kukutumirai sirivha negoridhe zvino putsai chibvumirano chako naBhaasha mambo waIsraeri kuti agobva kwandiri.” Bheni-Hadhadhi akatenderana namambo Asa uye akatumira vakuru vehondo yake kundorwisa maguta eIsraeri. Vakakunda Ijoni, Dhani, Abheri Maimi namaguta ose amatura eNafutari. Bhaasha paakanzwa izvi, akasiya kuvaka Rama akaregedza basa rake. Ipapo Mambo Asa vakauyisa varume vose veJudha, uye vakatakura kubva kuRama matombo ose namatanda aishandiswa naBhaasha. Akavaka Gebha neMizipa nazvo. Panguva iyoyo Hanani muoni akauya kuna Asa mambo weJudha akati kwaari, “Nokuti wakavimba namambo weAramu kwete naJehovha Mwari wako, hondo yamambo weAramu yapunyuka kubva mumaoko ako. Ko, vaEtiopia navaRibhiya vakanga vasiri hondo huru nengoro zhinji navatasvi vamabhiza vazhinji here? Asi pamakavimba naJehovha, akavaisa mumaoko enyu. Nokuti meso aJehovha anosvika panyika yose kwaari, wakaita chinhu choupenzi uye kubva zvino zvichienda mberi ucharwa hondo.” Asa akashatirwa kwazvo zvokuti akamuisa mutorongo. Panguva imwe cheteyo Asa akadzvinyirira vamwe vanhu. Mamwe mabasa okutonga kwaAsa, kubva pakutanga kusvika pakupedzisira akanyorwa mubhuku ramadzimambo aJudha neIsraeri. Mugore ramakumi matatu namapfumbamwe rokutonga kwake, Asa akabatwa nechirwere mumakumbo ake. Kunyange chirwere chake chakanga chanyanyisa mukurwara kwake imomo haana kutsvaka rubatsiro kubva kuna Jehovha asi kubva kun'anga chete. Zvino mugore ramakumi mana nerimwe chete rokutonga kwake Asa akafa akazorora namadzibaba ake. Vakamuviga muguva raakanga azvigadzirira muGuta raDhavhidhi. Vakamuradzika panhoo yakanga yakazara nezvinonhuwira zvemhando dzakasiyana-siyana zvakanga zvakavhenganiswa uye vakaita moto mukuru vachimuremekedza. Jehoshafati mwanakomana wake akamutevera paumambo uye akazvisimbisa pakurwisana neIsraeri. Akaisa varwi mumaguta akakomberedzwa namasvingo eJudha aya akaisa mapoka avarwi muJudha nomumaguta eEfuremu akanga atapwa nababa vake Asa. Jehovha vaiva naJehoshafati nokuti pamazuva ake okutonga akafamba munzira dzaiteverwa nababa vake Dhavhidhi. Haana kubvunza kuna vana Bhaari. Asi akatsvaka Mwari wababa vake akatevera kurayira kwake akasatevera mabasa aIsraeri. Jehovha akasimbisa umambo hwaiva pasi pake; uye Judha yose yakauya nezvipo kuna Jehoshafati, saka akava nepfuma zhinji nokuremekedzwa kukuru. Mwoyo wake wakanga wakazvipira kunzira dzaJehovha uyezve akabvisa nzvimbo dzakakwirira namatanda aAshera kubva muJudha. Mugore rechitatu rokutonga kwake akatuma vakuru vavabati vake vaiti Bheni-Hairi, Obhadhia, Zekaria, Netaneri naMikaya kuti vandodzidzisa mumaguta eJudha. Pamwe chete navo paiva navamwe vaRevhi vaiti: Shemaya, Netania, Zebadhia, Asaheri, Shemiramoti, Jehonatani, Adhoniya, Tobhiya naTobhi-Adhoniya. Vakadzidzisa Judha yose vaine Bhuku roMurayiro waJehovha; vakatenderera kumaguta ose aJudha vakadzidzisa vanhu. Kutya Jehovha kwakawira madzimambo enyika dzakanga dzakapoteredza Judha, zvokuti havana kuda kurwa naJehoshafati. Vamwe vaFiristia vakavigira Jehoshafati zvipo nesirivha somutero, uye vaArabhu vakamuvigira mapoka amakwai aiti: zviuru zvinomwe namazana manomwe amakondohwe nezviuru zvinomwe namazana manomwe embudzi. Jehoshafati akazova nesimba guru kwazvo; akavaka nhare namaguta amatura muJudha; uye akaita mabasa mazhinji mumaguta eJudha. Aivawo navarwi vane ruzivo rwokurwa muJerusarema. Kutorwa kwavo nemhuri dzavo kwakanga kwakadai: Kubva kuJudha, vatungamiri vamapoka avarwi chiuru: Adhina mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana matatu; aitevera ndiJehohanani mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana maviri namakumi masere; aitevera ndiAmasia mwanakomana waZikiri, uyo akazvipira kushandira Jehovha, aina varwi zviuru mazana maviri. Kubva kuBhenjamini: Eriadha murwi akanga akashinga, aiva murwi aiva navarwi zviuru mazana maviri vakanga vakabata uta nenhoo; aitevera ndiJehozabhadhi navarume zviuru zana namakumi masere vakagadzirira kurwa hondo. Ava ndivo varume vaibatira mambo, tisingaverengi avo vaakaisa mumaguta ane masvingo muJudha yose. Zvino Jehoshafati akava nepfuma zhinji nokukudzwa kukuru, uye akava noukama naAhabhu nokuda kwokuroorerana. Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaenda kundoshanyira Ahabhu kuSamaria. Ahabhu akamukurudzira kuti arwise Ramoti Gireadhi. Ahabhu mambo weIsraeri akakumbira Jehoshafati mambo weJudha, akati, “Mungandibatsirawo here kundorwisa Ramoti Gireadhi?” Jehoshafati akapindura akati, “Ini ndakaita sewe uye vanhu vangu savanhu vako; tichakubatsirai muhondo.” Asi Jehoshafati akatizve kuna mambo weIsraeri, “Chokutanga, tsvakai kuda kwaJehovha.” Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita vaisvika mazana mana akavabvunza akati, “Tingaenda kundorwisana neRamoti Gireadhi here kana kuti ndorega?” Vakapindura vakati, “Endai nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.” Asi Jehoshafati akabvunza akati, “Hakuna here muprofita waJehovha watingabvunza?” Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watingabvunza nezvaJehovha asi ndinomuvenga nokuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa nguva dzose. Anonzi Mikaya mwanakomana waImira.” Jehoshafati akapindura akati, “Mambo havafaniri kutaura vachidaro.” Saka mambo weIsraeri akadana mumwe wavabati vavo akati, “Uya naMikaya mwanakomana waImira iye zvino.” Vakapfeka nguo dzavo dzoumambo, mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara pazvigaro zvavo zvoushe paburiro pamukova wesuo reGamaria, navaprofita vose vachiprofita pamberi pavo. Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, uye akataura achiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Neidzi muchabaya vaAramu kusvikira vaparara.’ ” Vamwe vaprofita vose vachiprofita zvimwe chetezvo, vakati, “Rwisai Ramoti Gireadhi uye mukunde, nokuti Jehovha achariisa mumaoko amambo.” Nhume yakanga yaenda kundodaidza Mikaya yakati kwaari, “Tarira, somunhu mumwe vamwe vaprofita vari kutaura nezvokubudirira kwamambo. Shoko rako ngariwirirane naravamwe, uye utaure zvakanaka.” Asi Mikaya akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu ndinogona kumutaurira chete zvinotaurwa naMwari wangu.” Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, tingaenda here kundorwisana neRamoti Gireadhi kana kuti ndiregere?” Akapindura akati, “Varwisei munokunda nokuti vachaiswa mumaoko enyu.” Mambo akati kwaari, “Kangani kandinofanira kukuita kuti upike kuti usandiudza zvimwe zvinhu kunze kwechokwadi muzita raJehovha?” Ipapo Mikaya akapindura akati, “Ndakaona Israeri yose yakapararira mumaoko samakwai asina mufudzi, uye Jehovha akati, ‘Vanhu ava havana tenzi, regai mumwe nomumwe wavo adzokere kumba kwake murugare.’ ” Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudzai here kuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa chete?” Mikaya akaenderera mberi achiti, “Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha akagara pachigaro chake nehondo dzose dzokudenga dzakamira kurudyi rwake nokuruboshwe kwake. Uye Jehovha akati, ‘Ndiani angakwezva Ahabhu mambo weIsraeri kuti andorwisa Ramoti Gireadhi kuti aende kurufu rwake ikoko?’ “Mumwe akataura izvi, mumwe izvo. Pakupedzisira mumwe mweya wakauya, ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ini ndichandomukwezva.’ “Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi.’ Akati, ‘Ndichaenda ndonova mweya wenhema mumiromo yavaprofita vake.’ “Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda unozviita.’ “Saka zvino Jehovha aisa mweya wenhema mumiromo yavaprofita venyu ava. Jehovha akatema chirevo chokuparadzwa kwako.” Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaana akakwira akandorova Mikaya kumeso nembama akabvunza akati, “Mweya waJehovha waenda nokupi pawabuda mandiri kuti utaure kwauri?” Mikaya akapindura akati, “Uchazozviziva zuva rauchaenda kunohwanda mukamuri yomukati.” Mambo weIsraeri ipapo akarayira akati, “Torai Mikaya mumutumire kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo. Muti, ‘Zvanzi namambo: Isai murume uyu mutorongo uye musamupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka zvakanaka.’ ” Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka Jehovha haana kutaura neni.” Akawedzerazve achiti, “Batisisai mashoko angu, imi vanhu vose!” Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwira kuRamoti Gireadhi. Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichapinda muhondo ndakapfeka nguo dzokuti ndisazivikanwa asi imi pfekai nguo dzenyu dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazvishandura akapinda muhondo. Zvino mambo weAramu akanga arayira vakuru vengoro achiti, “Musarwisana navamwe vose, vadiki kana vakuru kunze kwamambo weIsraeri.” Vakuru vengoro pavakaona Jehoshafati vakafunga kuti ndiye mambo waIsraeri. Saka vakatendeuka kuti vamurwise asi Jehoshafati akachema, Jehovha akamurwira. Mwari akavabvisa kwaari, nokuti vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri iye mambo waIsraeri vakarega kumudzingirira. Asi mumwe munhu akangokanda museve wake usina kunanga munhu ukandobaya mambo weIsraeri pakati pezvikamu zvenguo dzake dzokurwa nadzo. Mambo akataurira muchairi wengoro kuti, “Tendeutsa ngoro undibvise muhondo. Ndakuvara.” Kwezuva rose kurwa kwakaenderera mberi uye mambo weIsraeri akazvitsigira mungoro yake akarwisana navaAramu kusvikira manheru. Zvino pakuvira kwezuva akafa. Jehoshafati mambo weJudha paakadzoka zvakanaka kumuzinda wake muJerusarema, Jehu muoni, mwanakomana waHanani, akabuda kundosangana naye akati kuna mambo, “Mungabatsira here vanhu vakaipa uye mugoda avo vanovenga Jehovha? Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaJehovha kwava pamusoro penyu. Kunyange zvakadaro hazvo, mamuri mune zvakanaka nokuti makabvisa matanda aAshera munyika uye makaisa mwoyo wenyu pakutsvaka Mwari.” Jehoshafati aigara muJerusarema, uye akaendazve pakati pavanhu vokuBheeri Shebha kunyika yezvikomo yaEfuremu akavadzosa kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo. Akagadza vatongi munyika muguta rimwe nerimwe reJudha rakakomberedzwa namasvingo. Akavaudza kuti, “Cherechedzai zvikuru zvamunoita, nokuti hamusi kutongera vanhu asi Jehovha, uyo anenge anemi pamunopa mitongo. Zvino kutya Jehovha ngakuve pamusoro penyu mutonge zvakanaka, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna kusaruramisira kana kutsaura vanhu kana fufuro.” MuJerusarema, Jehoshafati akagadza vamwe vevaRevhi, vaprista navakuru vemhuri dzavaIsraeri kuti vagochengetedza murayiro waJehovha uye kuti vapedze gakava, uye vakagara muJerusarema. Akavapa mirayiro iyi: “Munofanira kubata basa makatendeka nomwoyo wose muchitya Jehovha. Munyaya ipi neipi inouya kwamuri kubva kuna vamwe vomunyika yenyu vanogara mumaguta, kungava kuteuka kweropa kana zvimwewo zvinotaurwa nomurayiro, zvakarayirwa, mitemo kana zvirevo, munofanira kuvayambira kuti vasatadzira Jehovha; mukasadaro kutsamwa kwake kuchauya pamusoro penyu nehama dzenyu. Itai izvi uye hamuzotadzi. “Amaria muprista mukuru ndiye achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naJehovha. Uye Zebhadhia mwanakomana waIshumaeri mutungamiri worudzi rwaJudha, achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naMambo uye vaRevhi vachashanda savatariri pamberi penyu. Itai zvose nokushinga uye Jehovha ngaave navose vanoita zvakanaka.” Shure kwaizvozvi vaMoabhu navaAmoni navamwe vaMeuni vakauya kuzorwa naJehoshafati. Vamwe varume vakauya vakaudza Jehoshafati kuti, “Hondo huru kwazvo iri kuuya kuzokurwisai kubva kuEdhomu, vachibva mhiri kweGungwa. Yatova muHazazoni Tamari (zvichireva Eni Gedhi). Achitya, Jehoshafati akafunga kundobvunza Jehovha, akadaidzira kuti Judha yose itsanye. Vanhu veJudha vakaungana pamwe chete kuti vatsvage rubatsiro kubva kuna Jehovha. Zvirokwazvo, vakabva mumaguta ose eJudha kuzomutsvaka. Ipapo Jehoshafati akamira muungano yeJudha neJerusarema patemberi yaJehovha pamberi pechivanze chitsva, uye akati: “Haiwa Jehovha, Mwari wamadzibaba edu, hamusimi here Mwari wokudenga? Munotonga umambo hwose huri panyika. Simba noukuru zviri muruoko rwenyu. Uye hapana angagona kukukundai. Haiwa Mwari wedu, hamuna here kudzinga vagari venyika ino pamberi pavanhu venyu Israeri mukaipa zvachose kuvana vaAbhurahama, shamwari yenyu? Vakararama mairi, uye vakavakira mairi imba yeZita renyu vachiti, ‘Kana dambudziko rikatiwira, ringava pfumo rokutonga kana denda, kana nzara, tichamira muuvepo hwenyu pamberi petemberi ine Zita renyu, uye tichachema kwamuri mukutambudzika kwedu uye imi muchatinzwa mugotinunura.’ “Asi zvino ava varume vabva kuAmoni, Moabhu neGomo reSeiri vane nyika yamusina kutendera Israeri kuti itore payakabva kuIjipiti. Saka vakavarega uye vakasavaparadza. Onai kuti vava kutiripa sei nokuuya kwavo kuzotidzinga munyika yamakatipa senhaka. Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti isu hatina simba rokutonga hondo huru yakadai iri kuuya kuzotirwisa. Hatizivi kuti tingaita sei asi meso edu akatarisa kwamuri.” Varume vose veJudha, navakadzi vavo navana vadiki, vakamira pamberi paJehovha. Ipapo mweya waMwari wakauya pana Jahazieri mwanakomana waZekaria, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeyeri, mwanakomana waMatania muRevhi uye chizvarwa chorudzi rwaAsafi, paakanga akamira muungano. Akati, “Teererai, Mambo Jehoshafati navose vanogara muJudha neJerusarema! Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwehondo iyi huru, nokuti kurwa uku hakusi kwenyu, asi ndokwaMwari. Mangwana dzikai mundovarwisa. Vachange vachikwira nomuMupata weZizi uye muchavawana kumagumo omupata muGwenga reJerueri. Hamusi kuzorwa hondo iyi. Torai nzvimbo dzenyu; mumire makasimba mugoona kununurwa kwamuchapiwa naJehovha, imi Judha neJerusarema. Musatya; musaora mwoyo, endai mundovarwisa mangwana, uye Jehovha achava nemi.’ ” Jehoshafati akakotamisa chiso chake pasi uye vanhu vose veJudha neJerusarema vakawira pasi vachinamata pamberi paJehovha. Ipapo vamwe vaRevhi kubva kuvaKohati navaKorahi vakasimuka vakarumbidza Jehovha, Mwari waIsraeri nenzwi guru kwazvo. Mangwanani-ngwanani vakaenda kuGwenga reTekoa. Vava kuenda, Jehoshafati akasimuka akati, “Teererai kwandiri, Judha navanhu veJerusarema! Tendai Jehovha Mwari wenyu ipapo muchasimbiswa; tendai vaprofita vake ipapo muchabudirira.” Shure kwokunge abvunzana navanhu, Jehoshafati akagadza varume kuti vaimbire Jehovha uye vamurumbidze nokuda kwokunaka kwoutsvene hwake pavaifamba vari mberi kwehondo, vachiti: “Vongai Jehovha, nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.” Pavakatanga kuimba vachirumbidza, Jehovha akaisa vavandiri kuti varwise varume veAmoni neMoabhu neveGomo reSeiri vaiuya kuzorwisa Judha, uye vakakundwa. Varume veAmoni neMoabhu vakasimuka vakarwisa varume vaibva kuGomo reSeiri kuti vavaparadze zvachose. Vapedza kuuraya varume veSeiri vakabatsira kuurayana. Varume veJudha pavakasvika panzvimbo yakatarisana nerenje vakatarisa kwaiva nehondo huru vakangoona mitumbi yavanhu vakafa vakati rakata pasi; hapana akapukunyika. Saka Jehoshafati navanhu vake vakaenda kundotakura pfuma yavakanga vapamba, uye vakawana pakati pezvinhu izvi nhumbi dzakawanda nezvipfeko nemidziyo inokosha, yakawanda kupfuura zvavaikwanisa kutakura. Paiva nezvakapambwa zvakawanda kwazvo zvokuti vakapedza mazuva matatu vachingotakura. Pazuva rechina vakaungana muMupata weBheraka pavakarumbidza Jehovha. Ndokusaka uchiri kunzi Mupata weBheraka kusvikira nhasi. Ipapo vachitungamirirwa naJehoshafati, varume vose veJudha neJerusarema vakadzoka nomufaro kuJerusarema, nokuti Jehovha akanga avapa chikonzero chokufara pamusoro pavavengi vavo. Vakapinda muJerusarema vakaenda kutemberi yaJehovha nembira nemitengeranwa nehwamanda. Kutya Mwari kwakauya pamadzimambo ose nenyika pavakanzwa kuti Jehovha akanga arwisa sei vavengi veIsraeri. Uye nyika yaJehoshafati yakava norunyararo, nokuti Mwari wake akanga amupa zororo kumativi ose. Saka Jehoshafati akatonga Judha. Akanga ana makore makumi matatu namashanu paakava mambo weJudha, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namashanu. Mai vake vainzi Azubha mwanasikana waShiri. Akafamba nomunzira dzababa vake Asa uye haana kutsauka kubva madziri; akaita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha. Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa uye vanhu havana kunge vaisa mwoyo yavo kuna Mwari wamadzibaba avo. Mamwe mabasa okutonga kwaJehoshafati kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira, akanyorwa mumashoko enhoroondo yaJehu mwanakomana waHanani, akanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri. Mushure meizvozvi, Jehoshafati mambo weJudha akaita chitenderano naAhazia mambo weIsraeri uyo akanga akaipa kwazvo. Akatenderana naye kuvaka zvikepe zvaizoenda kuTashishi. Mushure mokunge zvikepe izvi zvapera kuvakwa paEzioni Gebheri, Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu, wokuMaresha akaprofita zvakaipa pamusoro paJehoshafati achiti, “Nokuti maita sungano naAhazia, Jehovha achaparadza zvamaita.” Zvikepe zvakaparadzwa uye hazvina kukwanisa kufamba kuenda kuTashishi. Ipapo Jehoshafati akazozorora namadzibaba ake akavigwa navo muguta raDhavhidhi uye Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Vanun'una vaJehoramu vanakomana vaJehoshafati vaiti Azaria, Jehieri, Zekaria, Azariyahu, Mikaeri naShefatia. Vose ava vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo weIsraeri. Baba vavo vakanga vavapa zvipo zvakawanda zvesirivha negoridhe nezvinhu zvinokosha pamwe chete namaguta ana masvingo muJudha, asi akanga apa umambo kuna Jehoramu nokuti aiva mwanakomana wake wokutanga. Jehoramu paakazvisimbisa paumambo hwababa vake, akauraya vanun'una vake vose pamwe chete navamwe vana voumambo veIsraeri. Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Akafamba nenzira dzamadzimambo eIsraeri, sezvakanga zvaitwa neimba yaAhabhu nokuti akawana mwanasikana waAhabhu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Zvisinei hazvo, nokuda kwesungano yakanga yaitwa naJehovha naDhavhidhi, Jehovha haana kuda kuparadza imba yaDhavhidhi. Akanga avimbisa kuchengetedza mwenje wake nezvizvarwa zvake nokusingaperi. Panguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikagadza mambo wayo. Saka Jehoramu akaendako namachinda ake nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba navakuru vake nengoro dzake asi akasimuka akabuda pakati pavo nousiku. Kusvikira nhasi vaEdhomu vakaramba vakamukira Judha. Ribhina yakavamukirawo panguva imwe cheteyo, nokuti Jehoramu akanga arasa Jehovha, Mwari wamadzibaba ake. Akanga avakawo nzvimbo dzakakwirira pamakomo eJudha akaita kuti vanhu veJerusarema vaite upombwe akatungamirira Judha mukurasika. Jehoramu akatambira tsamba kubva kuna muprofita Eria yaiti: “Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Hauna kufamba munzira dzababa vako Jehoshafati kana dzaAsa mambo weJudha. Asi wakafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri uye wakatungamirira Judha navanhu vose veJerusarema mukuita upombwe sezvakaitwa neimba yaAhabhu. Wakaurayawo hama dzako, nhengo dzeimba yababa vako varume vakanga vari nani kupfuura iwe. Saka zvino Jehovha ava kuda kuparadza vanhu vako, vanakomana vako, vakadzi vako nechose chinonzi ndechako, neshamhu inorema kwazvo. Iwewe pachako ucharwara zvikuru nechirwere chomuura, kusvikira chirwere ichi chaita kuti ura hwako hubude kunze.’ ” Jehovha akamutsa vaFiristia navaArabhu vaigara pedyo navaEtiopia kuti varwise Jehoramu. Vakarwisa Judha, vakaipamba vakatakura zvinhu zvose zvavakawana mumuzinda wamambo pamwe chete navanakomana vake navakadzi vake. Hakuna mwanakomana mumwe chete akasiyiwa kwaari kunze kwaAhazia mudiki pane vose. Shure kwaizvozvi zvose, Jehovha akarwadzisa Jehoramu nechirwere chisingarapike choura. Nokufamba kwenguva mukupera kwegore rechipiri maura ake akabuda kunze nokuda kwechirwere ichi, uye akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vose havana kuvesa moto wokumuremekedza sezvavakanga vaitira baba vake. Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Paakafa hapana akarwadziwa nokufa kwake, akavigwa muguta raDhavhidhi asi kwete kumakuva amadzimambo. Vanhu veJerusarema vakaita Ahazia, mwanakomana waJehoramu mudiki pane vose, mambo panzvimbo yake, nokuti vaipamba vakanga vauya navaArabhu muJudha, vakanga vauraya vamwe vanakomana vake vakuru. Saka Ahazia, mwanakomana waJehoramu mambo weJudha, akatanga kutonga. Ahazia aiva namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Mai vake vainzi Ataria, muzukuru waOmiri. Iyewo akafamba munzira dzeimba yaAhabhu nokuti mai vake vaimukurudzira kuita zvakaipa. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa neveimba yaAhabhu nokuti baba vake pavakafa, ivo vakatanga kumupa mazano. Akateverazve kurayira kwavo paakaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu mambo weIsraeri kuhondo vachirwisana naHazaeri mambo weAramu paRamoti Gireadhi. VaAramu vakakuvadza Joramu. Saka akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda akanga akuvara paRamoti paairwa naHazaeri mambo weAramu. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo weJudha akadzika kuJezireeri kundoona Joramu mwanakomana waAhabhu nokuti akanga akuvara. Mukushanya kwaAhazia kuna Joramu, Mwari akauyisa kuparadzwa kwaAhazia. Ahazia paakasvika akaenda naJoramu kundosangana naJehu mwanakomana waNimishi, uyo akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhu. Jehu paakanga ava kutonga imba yaAhabhu akawana machinda eJudha navanakomana vehama dzaAhazia, vakanga vachishandira Ahazia, akavauraya. Ipapo akaenda kundotsvaka Ahazia, uye vanhu vake vakamubata paakanga akavanda muSamaria. Akauyiswa kuna Jehu, ndokuurayiwa. Vakamuviga nokuti vakati, “Akanga ari mwanakomana waJehoshafati, aitsvaga Mwari nomwoyo wake wose.” Saka pakasara pasina akanga akasimba muimba yaAhazia zvokuti angagona kubata ushe. Ataria mai vaAhazia pavakaona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka vakandoparadza mhuri yose youmambo hweimba yaJudha. Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu akatora Joashi mwanakomana waAhazia uya akamuka kubva pakati pavanakomana vamambo avo vakanga vava kuda kuurayiwa uye akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Nokuti Jehoshebha, mwanasikana wamambo Jehoramu nomukadzi womuprista Jehoyadha, aiva hanzvadzi yaAhazia, akaviga mwana kubva kuna Ataria kuti asamuuraya. Akaramba akavanzwa navo patemberi yaMwari kwamakore matanhatu Ataria paaitonga nyika. Mugore rechinomwe Jehoyadha akaratidza simba rake. Akaita sungano navatungamiri vamapoka amazana: Azaria mwanakomana waJerohamu, Ishumaeri mwanakomana waJehohanani, Azaria mwanakomana waObhedhi, naErishafati mwanakomana waZikiri. Vakaenda muJudha yose vakandokokorodza vaRevhi navakuru vemhuri dzavaIsraeri kubva kumaguta ose. Pavakauya kuJerusarema, ungano yose yakaita sungano namambo patemberi yaMwari. Jehoyadha akati kwavari, “Mwanakomana wamambo achatonga sokuvimbisa kwakaita Jehovha maererano nezvizvarwa zvaDhavhidhi. Zvino izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Chetatu chenyu vaprista navaRevhi vanoshanda neSabata vanofanira kurinda mikova. “Chetatu chenyu kumuzinda wamambo, nechetatu chenyu pasuo renheyo, uye vamwe varume vose vanofanira kuva muzvivanze zvetemberi yaJehovha. Hapana anofanira kupinda mutemberi yaJehovha kunze kwavaprista navaRevhi vanenge vari pabasa, vanokwanisa kupinda havo nokuti ivo vakanatswa. Asi vamwe varume vose vanofanira kuchengetedza basa ravakapiwa naJehovha. VaRevhi vanofanira kumira vakakomba mambo, murume mumwe nomumwe aine zvombo zvake muruoko rwake. Ani naani zvake anopinda mutemberi anofanira kuurayiwa. Garai pedyo namambo kwose kwaanoenda.” VaRevhi navarume vose veJudha vakaita sezvavakanga varayirwa naJehoyada muprista. Mumwe nomumwe akatora vanhu vake vaifanira kupinda pabasa nokuti Jehoyadha muprista akanga asina kusunungura boka ripi zvaro. Ipapo akapa vakuru vamapoka amazana mapfumo nenhoo huru nediki dzaiva dzaMambo Dhavhidhi dzaiva mutemberi yaMwari. Akamisa varume vose panzvimbo, mumwe nomumwe aine chombo chake muruoko rwake, vakakomberedza mambo, pedyo nearitari netemberi, kubva kurutivi rwezasi kusvika kurutivi rwokumusoro kwetemberi. Jehoyadha navanakomana vake vakaburitsa mwanakomana wamambo vakaisa korona paari, vakamupa gwaro resungano vakamugadza samambo. Vakamuzodza vakadaidzira vachiti, “Mambo ngaararame kwamakore akawanda!” Ataria paakanzwa ruzha rwavanhu vaimhanya vachipemberera mambo, akaenda kwavari patemberi yaJehovha. Akatarisa, akaona mambo akamira pambiru yake pavanopinda napo. Vakuru navaridzi vehwamanda vakanga vamire namambo. Uye vanhu vose venyika vakanga vachipembera vachiridza hwamanda uye vaimbi vaine zviridzwa vaitungamirira mukurumbidza. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake akadanidzira achiti, “Ndamukirwa! Ndamukirwa!” Jehoyadha muprista akatuma vakuru vamapoka ezana, vaitungamirira varwi akati kwavari, “Muburitsei kunze pakati pavanhu, uye muuraye ani naani anenge amutevera.” Nokuti muprista akanga ati, “Musamuurayire patemberi yaJehovha.” Saka vakamubata paakasvika pamukova weSuo Ramabhiza pachivanze chomuzinda uye ipapo vakamuuraya. Ipapo Jehoyadha akaita sungano yokuti iye navanhu namambo vachava vanhu vaJehovha. Vanhu vose vakaenda kutemberi yaBhaari vakandoiparadza, vakaputsa aritari nezvifananidzo vakauraya Matani muprista waBhaari pamberi pearitari. Ipapo Jehoyadha akaisa temberi yaJehovha mumaoko avaprista, vaiva vaRevhi vakanga vapiwa mabasa naDhavhidhi, omutemberi, okupisira zvipiriso zvinopiswa zvaJehovha sezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, vachifara nokuimba, sokurayira kwakanga kwaitwa naDhavhidhi. Akamisazve vachengeti vamasuo pamasuo etemberi yaJehovha kuitira kuti pasawana uyo akanga asina kuchena nenzira ipi zvayo angapinda. Akaenda navatungamiri vamazana, makurukota navatongi vavanhu navanhu vose venyika vakandotora mambo kubva kutemberi yaJehovha. Vakapinda mumuzinda neSuo Rokumusoro vakagarisa mambo pachigaro choumambo, uye vanhu vose vomunyika vakapembera. Uye guta rakava norunyararo nokuti Atoria akanga aurayiwa nomunondo. Joashi akanga ane makore manomwe paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Mai vake vainzi Zibhiya uye vaibva kuBheerishebha. Joashi akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha pamazuva ose aJohayadha muprista. Jehoyadha akamusarudzira vakadzi vaviri uye akava navanakomana navanasikana. Kwapera kanguva Joashi akafunga kuti avandudze temberi yaJehovha. Akaunganidza vaprista navaRevhi akati kwavari, “Endai kumaguta eJudha mundotora mari inofanira kupiwa gore negore kubva kuIsraeri, yokugadziridza nayo temberi yaMwari wenyu. Zviitei iye zvino.” Asi vaRevhi havana kubva vazviita ipapo. Naizvozvo mambo akadaidza Jehoyadha muprista mukuru akati kwaari, “Sei usina kutuma vaRevhi kuti vauyise kubva kuJudha neJerusarema mutero wakarayirwa naMozisi muranda waJehovha neungano yeIsraeri weTende reChipupuriro?” Zvino vanakomana vaAtaria mukadzi uya akaipa vakanga vamanikidzira kupinda mutemberi yaMwari uye vakanga vashandisa kunyange midziyo yayo inoera mukunamata Bhaari. Mambo akati arayira bhokisi rakagadzirwa rikaiswa pasuo retemberi yaJehovha. Shoko rakatumwa muJudha neJerusarema kuti vaifanira kuuyisa kuna Jehovha mutero wakanga warayirwa naMozisi muranda waMwari kuti vaIsraeri vape murenje. Machinda ose navanhu vose vakauyisa zvipo zvavo nomufaro, vakazvikanda mubhokisi kusvikira razara. Pose paitakurwa bhokisi richipinzwa mukati navaRevhi kumachinda amambo, uye pavaiona kuti maiva nemari yakawanda, munyori wamambo nomubati womuprista mukuru vaiuya vodurura mari kubva mubhokisi riya voridzorera panzvimbo yaro. Vakaita izvi nguva nenguva uye vakaunganidza mari yakawanda. Mambo naJehoyadha vakaipa kuvanhu vaizoita basa raidiwa patemberi yaJehovha. Vakaripira vavezi vamatombo namatanda kuti vamise pakare temberi yaJehovha, uyewo vapfuri vesimbi nendarira kuti vagadziridze temberi. Varume vaibata basa iri vaiva nounyanzvi uye kugadziridza kwose kwakaenderera mberi mumaoko avo. Vakavakazve temberi yaMwari sezvayakanga yakaita pakutanga, vakaisimbisa. Pavakapedza vakauyisa imwe mari yose yakanga yasara kuna mambo naJehoyadha, uye yakagadziriswa midziyo yomutemberi yaJehovha: midziyo yokushandisa neyezvipiriso zvinopiswa namadhishi nezvimwe zvegoridhe nesirivha. Jehoyadha paakanga achiri mupenyu, zvipiriso zvinopiswa zvaitopiwa nguva nenguva mutemberi yaJehovha. Zvino Jehoyadha akanga akura ava namakore mazhinji, uye akafa ava namakore zana namakumi matatu. Akavigwa namadzimambo muGuta raDhavhidhi, nokuda kwezvakanaka zvaakanga aitira Mwari muIsraeri nomutemberi yake. Mushure mokufa kwaJehoyadha, vakuru veJudha vakauya kuzopa rukudzo kuna mambo, uye akateerera kwavari. Vakasiya temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba avo, vakanamata matanda aAshera nezvifananidzo. Nokuda kwokutadza kwavo, kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro peJudha neJerusarema. Kunyange zvazvo Jehovha akatumira vaprofita kuvanhu kuti vavadzosere kwaari, uye kunyange vaipupura zvakaipa pamusoro pavo, havana kuteerera. Ipapo mweya waJehovha wakauya pana Zekaria, mwanakomana waJehoyadha muprista Akamira pamberi pavanhu akati, “Zvanzi naMwari, ‘Sei musingateereri mirayiro yaJehovha? Hamuchazobudiriri. Nokuti makasiya Jehovha, iye akusiyaiwo.’ ” Asi ivo vakamupandukira uye nokurayira kwaMambo vakamutaka namabwe kusvikira afa, muchivanze chetemberi yaJehovha. Mambo Joashi haana kurangarira tsitsi dzaJehoyadha baba vaZekaria dzavakanga vamuratidza, asi akauraya mwanakomana wake, uye iye paakanga ava kufa akati, “Jehovha ngaazvione izvi uye aite kuti muzvidavirire.” Pakupera kwegore hondo yeAramu yakauya kuzorwisa Joashi; yakapamba Judha neJerusarema uye ikauraya vatungamiri vose vavanhu. Vakatumira zvavakanga vapamba zvose kuna mambo wavo kuDhamasiko. Kunyange zvazvo hondo yavaAramu yakange ine varume vashomashoma, Jehovha akaisa hondo huru kwazvo mumaoko avo. Nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, kutongwa kwakaiswa pamusoro paJoashi. VaAramu pavakazodzokera shure vakasiya Joashi akuvara zvakanyanya. Machinda ake akarangana akamupa mhosva yokuuraya mwanakomana waJehoyadha muprista, vakamuuraya akarara panhoo yake. Saka akafa akavigwa muGuta raDhavhidhi asi kwete mumakuva amadzimambo. Avo vakarangana pamusoro pake vaiti Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mudzimai wechiAmoni, naJehozabhadhi, mwanakomana waShimiriti muMoabhu. Nhoroondo dzavanakomana vake, nezvakaprofitwa pamusoro pake nezvakanyorwa pamusoro pokuvandudzwa kwetemberi yaMwari zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Amazia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Mai vake vainzi Jehoadhini, uye vaibva kuJerusarema. Akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete nomwoyo wose. Paakapedza kusimbisa umambo hwake akauraya machinda akanga auraya baba vake. Kunyange zvakadaro haana kuuraya vanakomana vavo asi akaita sezvazvakanga zvakanyorwa muMurayiro, muBhuku raMozisi, umo Jehovha akarayira achiti, “Madzibaba havafaniri kuurayiwa nokuda kwavana vavo, uye kuti vana havafaniri kuurayiwa nokuda kwamadzibaba avo.” Amazia akaunganidza vanhu veJudha akavaronga zvichienderana nemhuri dzavo pasi pavatungamiri vezviuru akaverengawo vaiva namakore makumi maviri naanopfuura akaona kuti vaisvika zviuru mazana matatu vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo, vaigona kubata mapfumo nenhoo. Akatorazve varwi zviuru zana kubva kuIsraeri akavaripa matarenda zanaa esirivha. Asi munhu waMwari akauya kwaari akati, “Haiwa Mambo, ava varwi vabva kuIsraeri havafaniri kuenda nemi nokuti Jehovha havasi kuIsraeri, havasi kune upi zvake munhu wokuEfuremu. Kunyange mukaenda kundorwa nesimba rose, Mwari achakukundai pamberi pavavengi nokuti Mwari ane simba rokubatsira kana kuputsa.” Amazia akabvunza munhu waMwari akati, “Asi, matarenda zana andakaripa kuvaIsraeri anoitwa sei?” Munhu waMwari akapindura akati, “Jehovha anogona kukupa zvakawanda kupfuura izvi.” Saka Amazia akaregera varwi vose vakanga vabva kuEfuremu vachienda uye akavati vaende zvavo kumba. Vakatsamwa zvikuru nokuda kweJudha vakaenda kumba vachipopota zvikuru. Ipapo Amazia akatungamirira hondo yake kuMupata weMunyu, kwaakandouraya varume veSeiri zviuru gumi. Hondo yeJudha yakabatazve varume zviuru gumi vakavatora vakaenda navo pamusoro pegomo pamawere vakavakanda pasi pakavhunika-vhunika. Panguva imwe cheteyo varwi vakanga vadzoserwa naAmazia pakurwa uku vakandopamba maguta eJudhea kubva kuSamaria kusvika kuBheti Horoni. Vakauraya zviuru zvitatu zvavanhu vakatakura zvinhu zvizhinji kwazvo zvavakapamba. Amazia paakadzoka kundouraya vaEdhomu, akadzoka vamwari vavanhu veSeiri akavamisa, akavakotamira savamwari vake, akavapisira zvibayiro. Kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro paAmazia, akatuma muprofita kwaari, akati, “Seiko uchibvunzira kuzvimwari zvavanhu ava zvakatadza kuponesa vanhu vazvo kubva mumaoko ako?” Achiri kutaura, mambo akati kwaari, “Ko, takugadza kuti uve mupi wamazano wamambo here? Mira! Uchafireko?” Saka muprofita akamira, asi akati, “Ndinoziva kuti Mwari akagadzirira kukuparadzai nokuti makaita izvi, uye hamuna kuteerera kukurayirai kwangu.” Mushure mokunge Amazia mambo weJudha abvunza vapi vake vamazano akatumira shoko rokudenha kuna Jehurashi mwanakomana waJehoahazi achiti, “Uya tisangane chiso nechiso.” Asi Jehoashi mambo weIsraeri akapindura Amazia mambo weJudha akati, “Rukato rwakanga rwuri muRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri muRebhanoni, rokuti, ‘Ipa mwanasikana wako kumwanakomana wangu kuti ave mukadzi wake.’ Ipapo imwe mhuka yomusango yaiva muRebhanoni yakauya ikatsikatsika rukato rwuya pasi petsoka dzayo. Unozviti wakakunda vaEdhomu uye zvino wava namanyawi nokuzvikudza. Zvino gara kumba kwako! Seiko uchikumbira matambudziko uye uchizviwisira pasi iwe neJudhawo?” Kunyange zvakadaro, Amazia haana kuteerera, nokuti Mwari akaita izvozvo kuti avaise kuna Jehoashi nokuti vakanga vatsvaka vamwari veEdhomu. Saka Jehoashi mambo weIsraeri akavarwisa. Iye naAmazia vakatarisana paBheti Shemeshi muJudha. Judha yakakundwa neIsraeri uye munhu wose akatizira kumba kwake. Jehoashi mambo weIsraeri akatapa Amazia mambo weJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waAhazia paBheti Shemeshi. Ipapo Jehoashi akauya naye kuJerusarema akaputsa rusvingo rweJerusarema kubva paSuo raEfuremu kusvika paSuo Rapakona, nzvimbo yakareba makubhiti mazana manab. Akatora goridhe nesirivha yose nemidziyo yose yakawanikwa mutemberi yaMwari zvaichengetwa naObhedhiEdhomu, pamwe chete nepfuma yose yaiva mumuzinda navanhu vorubatso, uye vakadzokera kuSamaria. Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akararama kwamakore gumi namashanu mushure mokunge Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri afa. Zvimwe zvose zvakaitwa naAmazia mukutonga kwake kubva pakutonga kusvikira pakupedzesera hazvina kunyorwa here mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri? Kubva panguva yakatsauka Amazia kubva mukutevera Jehovha, vakamupandukira muJerusarema uye iye akatizira kuRakishi vakandomuurayira ikoko. Akandotorwa namabhiza akazovigwa pamwe chete namadzibaba ake muGuta reJudha. Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Uzia akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. Ndiye akazovakazve Erati akaridzorera kuJudha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake. Uzia aiva namakore gumi namatanhatu paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Mai vake vainzi Jekonia uye vaibva kuJerusarema. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvangoitwa nababa vake Amazia. Akatsvaka Mwari pamazuva eZekaria, uyo aimurayira mukutya Mwari. Pose paaitsvaka Jehovha, Mwari akaita kuti abudirire. Akandorwisa vaFiristia akaputsa masvingo eGati, Jabhine neAshidhodhi. Akavakazve maguta aiva pedyo neAshidhodhi nokumwewo pakati pavaFiristia. Mwari akamubatsira mukurwisa vaFiristia navaArabhu vaigara muGuri Bhaari uye paakarwa navaMeuni. VaAmoni vakavigira Uzia mitero, uye mbiri yake yakandosvika kumucheto kweIjipiti nokuti akanga asimba kwazvo. Uzia akavaka shongwe muJerusarema paSuo Repakona, paSuo Rokumupata, napakudzoka kworusvingo, akadzisimbisa. Akavakazve shongwe murenje uye akachera matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvakawanda mujinga mezvikomo nomumapani. Aiva navanhu vaishanda muminda yake nomuminda yemizambiringa mumakomo nomunyika yakaorera, nokuti aida ivhu kwazvo. Uzia aiva navarwi vakadzidzira kwazvo kurwa, vakanga vakagadzirira kubuda vari mumapoka avo maererano nouwandu hwavo sokuunganidzwa kwavakanga vaitwa naJeyeri munyori naMaaseya mukuru akanga ari pasi paHanania mumwe wavakuru vamambo. Uwandu hwavatungamiri vemhuri vaiva pamusoro pavarwi hwaisvika zviuru zviviri namazana matanhatu. Pasi pavo paiva nehondo yaiva navarume zviuru mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vakadzidziswa kurwa, hondo yakanga yakasimba kwazvo kuti itsigire mambo pakurwisana navavengi vake. Uzia akavapa nhoo, mapfumo nguwani, nenguo dzamatare, uye uta namabwe okupfura nawo. MuJerusarema akagadzira michina yakagadzirwa navarume vane umhizha kuti ishandiswe pamusoro peshongwe napamakona kuti igopotsera miseve nokupotsera matombo makuru. Mbiri yake yakapararira kunzvimbo dziri kure, nokuti akabatsirwa zvikuru kusvikira ava nesimba. Asi Uzia paakava nesimba, kuzvikudza kwake kwakamutungamirira mukuwa kwake. Haana kutendeka kuna Jehovha Mwari wake, uye akapinda mutemberi yaJehovha kundopisira zvinonhuwira paaritari yezvinonhuwira. Azaria muprista navamwe vaprista vaJehovha makumi masere vakanga vasingatyi vakamutevera mukati. Vakamutongesa vakati, “Hazvina kufanira kwamuri imi, Uzia, kuti mupisire zvinonhuwira kuna Jehovha. Izvozvo ndezvavaprista, vanakomana vaAroni, vakatsaurirwa kuti vapise zvinonhuwira. Budai munzvimbo tsvene, nokuti hamuna kutendeka, uye hamungazokudzwa naJehovha Mwari.” Uzia uyo akanga aine mbiya yokupisira zvinonhuwira muruoko rwake, akatsamwa kwazvo. Paakanga achakatsamwira vaprista pamberi pavo, pamberi pearitari yezvinonhuwira mutemberi yaJehovha, maperembudzi akamera pahuma yake. Azaria mukuru wavaprista, navaprista vose pavakatarisa kwaari, vakaona kuti akanga ava namaperembudzi pahuma yake, saka vakakurumidza kumuburitsamo. Zvirokwazvo iyewo pachake akanga ava kuda kubuda nokuti Jehovha akanga amurova nechirwere. Mambo Uzia akava namaperembudzi kusvikira musi waakafa. Aigara asingabvumirwi kupinda mutemberi yaJehovha. Jotamu mwanakomana wake ndiye aitonga mumuzinda uye nokutonga vanhu venyika. Zvimwe zvakaitwa mukutonga kwaUzia kubva pakutanga kusvika pakupedzisira zvakanyorwa nomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi. Uzia akazorora namadzibaba ake akavigwa pedyo navo mumunda wemakuva waiva wamadzimambo, nokuti vanhu vakati, “Aiva namaperembudzi.” Jotamu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Jotamu aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Amai vake vainzi Jerusha mwanasikana waZadhoki. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia, asi iye haana kuzopinda zvake mutemberi yaJehovha. Kunyange zvakadaro, vanhu vakaramba vachiita zvakaipa zvavo. Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha akaita basa guru kwazvo parusvingo rwapagomo raOferi. Akavaka maguta muzvikomo zveJudhea, nenhare neshongwe mumatondo. Jotamu akarwa namambo wavaAmoni akavakunda. Mugore iroro vaAmoni vakamuripa matarenda zanaa esirivha, nezviyero zvegorosi zviuru gumib, nezviyero zvebhari zviuru gumi. VaAmoni vakauyisa zvimwe chetezvo mugore rechipiri nerechitatu. Jotamu akava nesimba kwazvo nokuti aifamba akatendeka pamberi paJehovha Mwari wake. Zvimwe zvakaitwa mukutonga kwaJotamu pamwe chete nehondo dzake dzose dzaakarwa nezvimwe zvinhu zvaakaita, zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri eJudha. Aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Jotamu akazorora namadzibaba ake akavigwa muGuta raDhavhidhi. Uye Ahazi mwanakomana wake akamutevera paumambo. Ahazi aiva namakore makumi maviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Haana kufanana naDhavhidhi baba vake, haana kuita zvakanaka pamberi paJehovha. Akafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri akagadzirawo zvifananidzo zvokunamatisa vaBhaari. Akapisa zvipiriso zvinopiswa mumupata weBheni Hinomi akabayira vanakomana vake mumoto, achitevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. Akapa zvibayiro uye akapisira zvinonhuwira panzvimbo dzakakwirira, pamusoro pezvikomo napasi pomuti wose wakapfumvutira. Naizvozvo Jehovha Mwari wake akamuisa mumaoko amambo weAramu. VaAramu vakamukunda uye vakatora vanhu vake vazhinji senhapwa vakauya navo kuDhamasiko. Akaiswawo mumaoko amambo weIsraeri uyo akauraya vanhu vazhinji kwazvo. Pazuva rimwe chete, Peka mwanakomana waRemaria akauraya varwi zviuru zana namakumi maviri muJudha, nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo. Zikiri murwi wokuEfuremu, akauraya Maaseya mwanakomana wamambo, Azirikami mutariri mukuru womuzinda naErikana, mutevedzeri wamambo. VaIsraeri vakatapa kubva kuhama dzavo vakadzi navanakomana navanasikana zviuru mazana maviri. Vakapambawo zvinhu zvakawanda, zvavakatakura vakadzokera nazvo kuSamaria. Asi muprofita waJehovha ainzi Odhedhi akanga aripo, uye akabuda kundosangana nehondo payakadzoka kubva kuSamaria. Akati kwavari, “Nokuti Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira Judha, akavaisa muruoko rwenyu. Asi mavauraya nehasha dzinosvika kudenga. Uye zvino mava kuda kuita varume navakadzi veJudha neJerusarema nhapwa dzenyu. Asi imiwo hamuna here mhosva dzezvivi zvamakaitira Jehovha Mwari wenyu? Zvino chiteererai kwandiri! Dzorerai kwakare hama dzenyu dzamatora savasungwa, nokuti kutsamwa kwaMwari kunotyisa kuri pamusoro penyu.” Ipapo vamwe vatungamiri vemuEfuremu vaiti Azaria mwanakomana waJehohanani, Bherekia mwanakomana waMeshiremoti, Jehizikia mwanakomana waSharumi naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakandotongesa avo vakanga vachisvika vachibva kuhondo. Vakati, “Hamufaniri kuuyisa vasungwa ivavo kuno kuti tirege kuva nemhosva pamberi paJehovha. Munoda kuwedzera here pamusoro pechivi chedu nemhosva yedu? Nokuti mhosva yedu yatokura kare, uye kutsamwa kwake kunotyisa kwava pamusoro peIsraeri.” Saka varwi vakasiya vasungwa nezvose zvavakanga vapamba pamberi pavakuru neungano yose. Varume varehwa namazita avo vakatora vasungwa uye kubva pane zvavakanga vapamba vakapfekedza vakanga vakashama. Vakavapa nguo neshangu, zvokudya nezvokunwa, uye nomushonga wokuporesa. Avo vose vakanga vasina simba vakavakwidza paJeriko, muGuta reMichindwe uye vakadzokera kuSamaria. Panguva iyoyo mambo Ahazi akatsvaka rubatsiro kubva kuna mambo weAsiria. VaEdhomu vakanga vauyazve vakarwisa Judha uye vakaenda navasungwa. Panguva imwe cheteyo vaFiristia vakanga vapamba maguta omujinga mezvikomo nomuNegevhi yeJudha. Vakatora uye vakagara muBheti Shemeshi, Aijaroni neGedheroti pamwe chete neSoko, Timina neGimizo nemisha yavo yose yakaapoteredza. Jehovha akaninipisa Judha nokuda kwaAhazi mambo weIsraeri, nokuti akanga akuridzira zvakaipa muJudha uye akanga anyanya kusatendeka kuna Jehovha. Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akauya kwaari, asi akamupa matambudziko pano kuti amubatsire. Ahazi akatora zvimwe zvezvinhu zvaiva mutemberi yaJehovha, uye kubva mumuzinda wamambo nokumachinda amambo, akazvipa kuna mambo weAsiria, asi izvi hazvina kumubatsira. Munguva yake yokutambudzika mambo Ahazi akatonyanya kusatendeka kuna Jehovha. Akapa zvibayiro kuna vamwari veDhamasiko vakanga vamukunda; nokuti akafunga akati, “Sezvo vamwari vemadzimambo eAramu vakavabatsira ini ndichapa zvibayiro kwavari kuti vangondibatsira.” Asi ndivo vakava kuwa kwake nokweIsraeri yose. Ahazi akaunganidza midziyo yose yomutemberi akaitakura akaenda nayo. Akapfiga masuo etemberi yaJehovha akagadzira aritari pamakona ose emigwagwa yeJerusarema. Muguta rimwe nerimwe reJudha akavaka nzvimbo dzakakwirira kuti agopisira zvipiriso kuna vamwe vamwari uye zvikamutsa hasha dzaJehovha, Mwari wamadzibaba ake. Zvimwe zvaakaita pamazuva okutonga kwake nenzira dzake dzose kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri. Ahazi akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta reJerusarema, asi haana kuradzikwa mumakuva amadzimambo eIsraeri. Uye Hezekia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Hezekia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhija mwanasikana waZekaria. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvangoitwa naDhavhidhi baba vake. Mumwedzi wokutanga wegore rokutanga kutonga kwake akazarura masuo etemberi akaagadziridza. Akauyisa vaprista navaRevhi akavaunganidza muchivara chokudivi rokumabvazuva. Uye akati, “Teererai kwandiri, vaRevhi! Zvinatsei zvino uye munatse temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Mubvise kusvibiswa kwose munzvimbo tsvene. Madzibaba edu akanga asina kutendeka; vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari uye vakamusiya. Vakabvisa zviso zvavo panzvimbo inogara Jehovha, vakamufuratira. Vakapfigawo mikova yebiravira uye vakadzima mwenje. Havana kupisira zvinonhuwira kana kupa zvipiriso zvinopiswa panzvimbo tsvene kuna Mwari waIsraeri. Naizvozvo, kutsamwa kwaJehovha kwakawira pamusoro peJudha neJerusarema, akavaita chinhu chinotyisa, chinovhundutsa nechinosekwa, sezvamunoona nameso enyu chaiwo. “Ndokusaka madzibaba edu akaurayiwa nomunondo uye vanakomana navanasikana vedu navakadzi vedu vava muutapwa. “Zvino ndinoda kuita mhiko naJehovha, Mwari waIsraeri; kuitira kuti kutsamwa kwake kunotyisa kubve kwatiri. Vanakomana vangu, musava vanhu vasina hanya zvino, nokuti Jehovha akakusarudzai kuti mumire pamberi pake, uye mumushandire, kuti mushumire pamberi pake uye mupise zvinonhuwira.” Ipapo vaRevhi ava vakasimuka vakashanda: kubva kuvaKohati, Mahati mwanakomana waAmasai naJoere mwanakomana waAzaria; kubva kuvaMerari, Kishi mwanakomana waAbhidhi naAzania mwanakomana waJeharereri; kubva kuvaGerishoni, Joa mwanakomana waZima naEdheni mwanakomana waJoa; kubva kuzvizvarwa zvaErizafani, Shimiri naJeyeri; kubva kuzvizvarwa zvaAsafi, Zekaria naMatania; kubva kuzvizvarwa zvaHemani, Jehieri naShimei; kubva kuzvizvarwa zvaJedhutuni, Shemaya naUzieri. Pavakaunganidza hama dzavo vakazvinatsa, vakapinda mukati kuti vachenese temberi yaJehovha sokurayira kwakanga kwaitwa namambo, vachitevera shoko raJehovha. Vaprista vakaenda munzvimbo tsvene yaJehovha kuti vandoichenesa. Vakabudisira kuchivanze chetemberi yaJehovha zvose zvakanga zvisina kuchena zvavakaona mutemberi yaJehovha. VaRevhi vakazvitora vakaenda nazvo kuMupata weKidhironi. Vakatanga kunatsa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga uye pazuva rorusere romwedzi vakasvika pabiravira raJehovha. Kwamamwezve mazuva masere vakanatsa temberi yaJehovha pachayo, vakapedza nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga. Ipapo vakaenda kuna mambo Hezekia vakandomuzivisa kuti: Tachenesa temberi yaJehovha yose, aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo yose, netafura yekuisira chingwa chakatsaurwa, nemidziyo yayo yose. Tagadzira uye tanatsa midziyo yose yakabviswa naMambo Ahazi mukusatendeka kwake paakanga ari mambo. Zvino yava pamberi pearitari yaJehovha. Mangwanani ezuva raitevera Mambo Hezekia akaunganidza vakuru veguta pamwe chete vakakwira kutemberi yaJevhovha. Vakauya nehando nomwe, makondohwe manomwe, namakwai makono manomwe nembudzi hono nomwe sechibayiro chezvivi choushe, chenzvimbo tsvene necheJudha. Mambo akarayira vaprista, zvizvarwa zvaAroni kuti vapisire zvibayiro izvi paaritari yaJehovha. Saka vakauraya hando dziya, uye vaprista vakatora ropa vakarisasa paaritari mushure mezvo vakauraya makondohwe vakasasa ropa rawo paaritari; uye vakauraya makwayana vakasasa ropa rawo paaritari. Mbudzi dzechipiriso chechivi dzakauyiswa pamberi pamambo neungano, uye vakaisa maoko avo pamusoro padzo. Ipapo vaprista vakadziuraya vakaisa ropa radzo paaritari sechipiriso chechivi kuti vayananisire Israeri yose, nokuti mambo akanga arayira kuti kuitwe chipiriso chinopiswa nechipiriso chechivi zvichiitirwa Israeri yose. Akaisa vaRevhi mutemberi yaJehovha vane makandira, nemitengeranwa nembira sezvaakanga arairwa naDhavhidhi naGadhi muoni wamambo naNatani muprofita. Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza navaprofita vake. Saka vaRevhi vakamira vakagadzirira vaine zviridzwa zvaDhavhidhi uye vaprista vaine hwamanda dzavo. Hezekia akarayira kuti chipiriso chinopiswa chipiswe paaritari. Chipiriso pachakatanga, kuimbira Jehovha kwakatangawo, kuchiteverwa nehwamanda nezviridzwa zvaDhavhidhi mambo weIsraeri. Ungano yose yakakotama ichinamata, vaimbi pavaiimba uye varidzi vehwamanda vachiridza. Zvose izvi zvakaenderera mberi kusvikira chibayiro chechipiriso chinopiswa chapera. Pavakapedza kupisira zvipiriso mambo navose vaakanga anavo vakapfugama pasi vakanamata. Mambo Hezekia namachinda ake vakarayira vaRevhi kuti varumbidze Jehovha namashoko aDhavhidhi neaAsafi muoni. Saka vakaimba nziyo dzokurumbidza nomufaro uye vakakotamisa misoro yavo vakanamata. Ipapo Hezekia akati, “Imi iye zvino mazvikumikidza kuna Jehovha. Uyai nezvipiriso zvokuvonga kutemberi yaJehovha.” Saka ungano yose yakauyisa zvipisiro nezvipo zvokuvonga, uye vose vaiva nemwoyo inoda vakauyisa zvipiriso zvinopiswa. Zvipiriso zvinopiswa zvakauyiswa neungano zvaiti hando makumi manomwe, namamakondohwe zana, namakwayana makono mazana maviri, zvose izvi zvaiva zvokupisira kuna Jehovha. Mhuka dzose dzakanga dzatsaurwa sezvipiriso dzaisvika hando mazana matanhatu namakwai nembudzi zviuru zvitatu. Kunyange zvakadaro, vaprista vakanga vari vashoma kwazvo kuti vakwanise kuvhiya zvipiriso zvose izvi; saka hama dzavo vaRevhi vakavabatsira kusvikira basa iri rapera uye kusvikira vamwe vaprista vatsaurwa nokuti vaRevhi vakanga vakangwarira kwazvo kuzvigadza kupfuura zvaiita vaprista. Paiva nezvipiriso zvinopiswa zvakawanda kwazvo, pamwe chete namafuta ezvipiriso zvokuyanana, nezvipiriso zvokunwa zvaipiwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa. Saka temberi yaJehovha yakatanga kushanda zvakare. Hezekia navanhu vose vakapemberera zvakanga zvauyiswa naMwari kuvanhu vake nokuti zvakanga zvaitwa nokukurumbidza. Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri. Mambo namakurukota ake neungano yose muJerusarema vakasarudza kupemberera Pasika mumwedzi wechipiri. Vakanga vasina kukwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaunositambwa nokuti vaprista vakanga vazvinatsa vakanga vari vashoma uye vanhu vakanga vasina kuungana muJerusarema. Zano iri rakaita serakanaka kuna Mambo nokuungano yose. Vakasarudza kutuma shoko kuIsraeri yose kubva Bheerishebha kusvika kuDhani, vachidaidza vanhu kuti vauye kuJerusarema vazopemberera Jehovha Mwari weIsraeri mutambo wePasika. Haina kunge yambopembererwa navanhu vazhinji sezvakanga zvakanyorwa. Sokurayira kwamambo, vanhu vakaenda muJudha neIsraeri netsamba dzaibva kuna Mambo nokumakurukota ake dzaiti: “Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri kuti adzokere kwamuri imi masara, imi makapunyuka kubva muruoko rwamadzimambo eAsiria. Musaita samadzibaba enyu nehama dzenyu vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, zvokuti akavaita chakatukwa sezvamunoona. Musaomesa mitsipa sezvakaita madzibaba enyu. Zviisei pasi paJehovha. Uyai kunzvimbo tsvene yaakatsaura nokusingaperi. Shandirai Jehovha Mwari wenyu, kuti hasha dzake dzinotyisa dzibve kwamuri. Kana mukadzokera kuna Jehovha, ipapo hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa uye vachadzoka kunyika ino, nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi. Haangavanzi chiso chake kwamuri kana mukadzokazve kwaari.” Vakatumwa vakaenda kuguta neguta muEfuremu neManase, kusvikira kuZebhuruni, asi vanhu vakavashora uye vakavaseka. Kunyange zvakadaro, vamwe varume veAsheri, Manase neZebhuruni vakazvininipisa vakaenda kuJerusarema. Uye muJudha ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pavanhu kuti ruvape kubatana kwepfungwa kuti vaite zvakanga zvarayirwa namambo namachinda ake vachitevera shoko raJehovha. Vanhu vazhinji zhinji vakaungana muJerusarema kuti vazopemberera Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso mumwedzi wechipiri. Vakabvisa aritari muJerusarema vakaparadza aritari dzezvinonhuwira vakadzikanda muMupata weKidhironi. Vakauraya gwayana rechibayiro chePasika pazuva regumi neina romwedzi wechipiri. Vaprista navaRevhi vakanyara kwazvo vakazvinatsa vakauyisa zvipiriso zvinopiswa kutemberi yaJehovha. Ipapo vakatora nzvimbo dzavo sezvakanyorwa muMurayiro waMozisi munhu waMwari. Vaprista vakasasa ropa ravakapiwa navaRevhi. Sezvo vazhinji muungano vakanga vasina kuzvinatsa, vaRevhi vakauraya makwayana ePasika vachiitira vose vakanga vasina kucheneswa uye vasingakwanisi kunatsa makwayana avo kuna Jehovha. Kunyange vazhinji, vavanhu vazhinji ava vakabva kuEfuremu, Manase, Isakari neZebhuruni vakanga vasina kuzvichenesa asi vakadya Pasika, zvichipikisana nezvakanga zvakanyorwa. Asi Hezekia akavanyengeterera achiti, “Jehovha, iye akanaka, ngaaregerere hake munhu wose anoisa mwoyo wake mukutsvaka Mwari, Jehovha Mwari wamadzibaba ake kunyange zvake asina kucheneswa kana tichitevedza mitemo yapanzvimbo tsvene.” Uye Jehovha akanzwa Hezekia akaporesa vanhu. VaIsraeri vaiva muJerusarema vakatamba Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe nokufara kukuru, vaRevhi navaprista vachiimbira Jehovha zuva nezuva, pamwe chete nezviridzwa zvaJehovha zvokurumbidza. Hezekia akataura achikurudzira kwazvo vaRevhi vose, avo vakaratidza kunzwisisa kwakanaka kwebasa raJehovha. Kwamazuva manomwe aya vakadya zvokudya zvavakanga vapiwa, vakapa zvipiriso uye vakarumbidza Jehovha Mwari wamadzibaba avo. Ipapo ungano yose yakabvumirana kutamba mutambo uyu kwamamwe mazuva manomwe; saka kwamamwe mazuva manomwe vakapemberera vachifara. Hezekia mambo weJudha akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru zvinomwe kuungano uye machinda ake akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru gumi. Vaprista vazhinji vakazvinatsa. Ungano yose yeJudha yakafara kwazvo, pamwe chete navaprista navaRevhi uye vose vakanga vaungana kubva kuIsraeri pamwe chete navatorwa vakanga vabva kuIsraeri naavo vaigara muJudha. Kwakava nomufaro mukuru kwazvo muJerusarema, nokuti kubva pamazuva aSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsraeri kwakanga kusina kumboitika zvakaita sezvizvi muJerusarema. Vaprista navaRevhi vakamira kuti varopafadze vanhu, Mwari akavanzwa, nokuti munyengetero wavo wakasvika kudenga, nzvimbo yake tsvene yokugara. Izvi zvose pazvakapera, vaIsraeri vakanga varipo vakabuda vakaenda kumaguta eJudha vakaputsa matombo ose anoera uye vakatema matanda aAshera. Vakaparadza nzvimbo dzakakwirira nearitari muJudha yose neBenjamini nomuEfuremu neManase. Vapedza kuparadza zvose vaIsraeri vakadzokera kumaguta avo nokuzvinhu zvavo. Hezekia akaisa vaprista navaRevhi mumapoka avo mumwe nomumwe wavo mumabasa avo savaprista kana kuti vaRevhi kuti vape zvipiriso zvinopiswa nezvipo zvokuyananisa kuti vashumire, kuti varonge uye kuti vaimbe nziyo dzokurumbidza pamasuo enzvimbo yaJehovha yokugara. Mambo akapawo kubva mupfuma yake zvipiriso zvinongoiswa zvamangwanani nezvamadekwana nezvipiriso zvinopiswa zvamaSabata, zvoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakatarwa sezvakanyorwa muMurayiro waJehovha. Akarayira vanhu vaigara muJerusarema kuti vape zvakakodzera kupiwa vaprista navaRevhi kuti ivo vazvipire kuMurayiro waJehovha. Shoko parakangoenda, vaIsraeri vakapa zvakawanda zvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvavo, waini itsva, mafuta nouchi nezvose zvakabuda muminda yavo. Vakauyisa zvakawanda, chegumi chezvose. Varume veIsraeri neJudha vaigara mumaguta eJudha vakauyisa chegumi chamatanga avo nechegumi chezvinhu zvitsvene zvakakumikidzwa kuna Jehovha Mwari wavo, uye vakazviisa mumatutu matatu. Vakatanga kuita izvi mumwedzi wechitatu vakazopedza mumwedzi wechinomwe. Hezekia namakurukota ake pavakauya vakaona matutu ezvinhu, vakarumbidza Jehovha uye vakaropafadza vanhu vake Israeri. Hezekia akabvunza vaprista navaRevhi nezvamatutu aya. Azaria muprista mukuru kubva kuimba yaZadhoki akapindura achiti, “Kubva zvakatanga vanhu kuuyisa zvipo zvavo kutemberi yaJehovha, takawana zvokudya zvakatiringana, nezvizhinji zvaisara, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake, uye izvi zvizhinji ndizvo zvakasara.” Hezekia akarayira kuti kugadzirwe matura okuchengetera zvinhu mutemberi yaJehovha, izvi zvikaitwa. Ipapo vakauyisa zvipo zvavo vakatendeka, nezvegumi nezvipo zvakakumikidzwa. Konania muRevhi ndiye aiva mutariri wezvinhu izvi uye munun'una wake Shimei ndiye aimutevera. Jehieri, Azazia, Nahati, Asaheri, Jerimoti, Jozabhadhi, Erieri, Isimakia, Mahati, naBhenaya vaiva vatariri vari pasi paKonania naShimei munun'una wake, sokupiwa basa kwavakaitwa naMambo Hezekia naAzaria muchinda aiona nezvetemberi yaMwari. Kore mwanakomana waImina muRevhi, muchengeti weSuo rokumabvazuva, ndiye aichengeta zvipo zvokungopa kuna Mwari achizogovera zvipo zvaipiwa kuna Jehovha pamwe chete nezvipo zvakatsaurwa. Edheni, Miniamini, Jeshua, Shemaya, Amaria naShekania vakamubatsira vakatendeka mumaguta avaprista, vachigovera vamwe vaprista mumapoka avo, vakuru navadiki zvakafanana. Pamusoro pezvo vakagovera kuvanhurume vaiva namakore matatu zvichikwira avo vaiva namazita avo akanyorwa mumagwaro enhoroondo, vose avo vaizopinda mutemberi yaJehovha kuti vaite mabasa ezuva nezuva akasiyana-siyana, zvichienderana nezvavakatarirwa kuti vaite uye namapoka avo. Uye vakagovera kuvaprista sokunyorwa kwazvakaitwa munhoroondo yavo mumhuri dzavo, uye saizvozvovo kuvaRevhi, vaiva namakore makumi maviri zvichikwira zvichienderana namabasa avo namapoka avo. Vaisanganiswa vadiki vose, vakadzi, navanakomana navanasikana venzvimbo yose vakanyorwa munhoroondo nokuti vakanga vakatendeka pakuzvinatsa. Kuvaprista, zvizvarwa zvaAroni vaigara mumaruwa akanga akakomberedza maguta avo kana mune mamwe maguta, varume vakapiwa mabasa namazita avo kuti vape migove kuno murume mumwe nomumwe aiva pakati pavo nokuna vose vakanga vakanyorwa mumabhuku enhoroondo dzavaRevhi. Izvi ndizvo zvakaitwa naHezekia muJudha yose achiita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama uye zvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake. Mune zvose zvaakaita mukushandira temberi yaMwari uye mukutevera murayiro nezvakarayirwa, akatsvaka Mwari wake akashanda nomwoyo wose. Saka akabudirira. Mushure mezvose zvakaitwa naHezekia nokutendeka kwakadai, Senakeribhi mambo weAsiria akauya akapamba Judha. Akakomba maguta aiva namasvingo achifunga kuapamba kuti ave ake. Hezekia paakaona kuti Senakeribhi akanga auya uye kuti aida kurwisa Jerusarema, akabvunza machinda ake navatungamiri vehondo nezvekuvharwa kwemvura yaibva muzvitubu zvaiva kunze kweguta uye vakamubatsira. Hondo huru kwazvo yakaungana, vakavhara zvitubu zvose norukova rwaiyerera ruchipfuura nomunyika iyi. Vakati, “Kumadzimambo eAsiria angauyirei achizowana mvura zhinji.” Ipapo akashanda nesimba akagadziridza zvikamu zvose zvorusvingo zvakanga zvakoromoka akavaka shongwe parwizi. Akavakazve tumwe tusvingo kunze kwerwakanga rwuripo akasimbisa Miro yaitsigira guta raDhavhidhi. Akagadza vakuru vehondo pamusoro pavanhu akavaunganidza pamberi pake pachivara chepasuo reguta akavakurudzira namashoko aya: “Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuwora mwoyo nekuda kwamambo weAsiria nehondo huru yaanayo, nokuti kune simba guru kwatiri kupinda raanaro. Iye ane ruoko rwenyama chete, asi isu tina Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire uye anotirwira hondo dzedu.” Vanhu vakawana kusimbisiswa nokushinga kubva pane zvakanga zvataurwa naHezekia mambo weJudha. Shure kwaizvozvo, Senakeribhi mambo weAsiria nehondo yake pavakanga vakakomba guta reRakishi, akatumira vakuru vehondo yake kuJerusarema neshoko iri kuna Hezekia mambo weJudha nokuvanhu vose veJudha vaivako achiti, “Zvanzi naSenakeribhi mambo weAsiria: Munozvisimbisa neiko, kuti mungaramba muri muJerusarema rakakombwa? Hezekia paanoti, ‘Jehovha Mwari wedu achatinunura kubva muruoko rwamambo weAsiria,’ ari kukureverai nhema kuti mufe nenzara nenyota. Hezekia haana here kubvisa nzvimbo dzakakwirira dzamwari iyeyu nearitari achiti kuJudha neJerusarema, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe chete uye munofanira kubayira zvipiriso pairi’? “Hamuzivi here zvandakaita namadzibaba angu kuvanhu vedzimwe nyika? Vamwari venyika idzodzo vakagona here kununura nyika yavo kubva muruoko rwangu? Ndoupi mwari wenyika dzose dzakaparadzwa namadzibaba angu akagona kuponesa vanhu vake kubva kwandiri? Zvino mwari wenyu angagona sei kukununurai kubva muruoko rwangu? Zvino musatendera Hezekia kuti akureverei nhema uye akutsausei zvakadai. Musamutende, nokuti hakuna mwari worudzi rupi kana umambo hupi zvahwo akagona kurwira vanhu vake kubva muruoko rwangu kana ruoko rwamadzibaba angu. Mwari wenyu achakundikana zvakadii kukurwirai kubva muruoko rwangu!” Makurukota aSenakeribhi akataurazve zvimwe zvakawanda achishora Jehovha Mwari uye achipikisana naHezekia muranda wake. Mambo akanyorazve tsamba achituka Jehovha, Mwari weIsraeri achitaura izvi pamusoro pake: “Sokukundikana kwavamwari vedzimwe nzvimbo kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu, saizvozvo mwari waHezekia achakundikana kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu.” Ipapo vakadaidzira muchiHebheru kuvanhu veJerusarema vakanga vari parusvingo, vachivatyisidzira vachivaita kuti vatye kuti ivo vagopamba guta. Vakataura pamusoro paMwari weJerusarema zvavaiita pamusoro pavamwe vamwari namamwe marudzi enyika, mabasa amaoko avanhu. Mambo Hezekia nomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi vakachema mumunyengetero kudenga pamusoro penyaya iyi. Uye Jehovha akatuma mutumwa akaparadza varwi vose navatungamiri navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka akadzokera kunyika yake achinyara kwazvo uye paakapinda mutemberi yamwari wake vamwe vavanakomana vake vakamuuraya neminondo. Saka Jehovha akanunura Hezekia navanhu veJerusarema kubva muruoko rwaSenakeribhi mambo weAsiria uye kubva muruoko rwavamwe vose. Akavachengeta kumativi ose. Vazhinji vakavigira Jehovha zvipo kuJerusarema nezvipo zvinokosha kuna Hezekia mambo weJudha. Kubva ipapa akatanga kuremekedzwa zvikuru nendudzi dzose. Pamazuva iwayo Hezekia akarwara akasvika pakuda kufa. Akanyengetera kuna Jehovha iye akamupindura akamupa chiratidzo chechishamiso. Asi mwoyo waHezekia wakazvikudza uye haana kugamuchira tsitsi dzaakanga aratidzwa. Saka hasha dzaJehovha dzakava pamusoro pake napamusoro peJudha neJerusarema. Ipapo Hezekia akatendeuka kubva mukuzvikudza kwomwoyo wake, sezvakaitawo vanhu veJerusarema, naizvozvo hasha dzaMwari hadzina kuuya kwavari pamazuva aHezekia. Hezekia akanga ane pfuma yakawanda kwazvo uye nokukudzwa, uye akavaka matura okuchengeta sirivha yake negoridhe namatombo anokosha, nezvinonhuwira, nenhoo nezvimwe zvinokosha zvose. Akavakawo matura okuchengetera zviyo zvaaikohwa, waini itsva, namafuta; uye akavaka matanga emombe dzamarudzi akasiyana-siyana namatanga amakwai. Akavaka misha uye akatenga makwai nemombe zhinji nokuti Mwari akanga amupa pfuma yakawanda. Hezekia ndiye akavhara mvura yaibuda muchitubu chepaGihoni ichiyerera nokumusoro akaivhurira kuti iende nezasi kumavirazuva kweGuta raDhavhidhi. Akabudirira mune zvose zvaiita. Asi pakatumwa nhume navatongi veBhabhironi kuti vamubvunze pamusoro pechiratidzo chechishamiso chakanga chaitika munyika, Mwari akamusiya kuti amuedze uye kuti azive zvose zvaiva mumwoyo make. Zvimwe zvakaitwa naHezekia panguva yokutonga muchiratidzo chomuprofita Isaya mwanakomana waAmosi mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri. Hezekia akazorora namadzibaba ake akavigwa pachikomo pane makuva ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Judha yose navanhu veJerusarema vakamuremekedza paakafa. Uye mwanakomana wake Manase akamutevera paumambo. Manase akanga ane makore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvinonyangadza pamberi paJehovha zvaiitwa nendudzi dzakadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekia. Akavaka aritari dzaBhaari uye akagadzira matanda aAshera. Akakotamira nyeredzi dzose dzokudenga akadzishumira. Akavaka aritari mutemberi yaJehovha yakanga yanzi naJehovha, “Zita rangu richaramba riri muJerusarema nokusingaperi.” Muzvivanze zvose zvetemberi yaJehovha akavaka aritari dzenyeredzi dzose dzedenga. Akabayira vanakomana vake mumoto mumupata weBheni Hinomi akaita zvamashura, mazango, nouroyi, akandobvunzira kumasvikiro, navavuki. Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha akamutsa hasha dzake. Akatora chifananidzo chakavezwa chaakanga agadzira akachiisa mutemberi yaMwari, yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi ino nomuJerusarema randakasarudza kubva mumarudzi ose eIsraeri, ndichaisa Zita rangu nokusingaperi. Handichatenderizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzibude munyika yandakavimbisa madzitateguru enyu. Kana chete vakachenjerera kuita zvose zvandakavarayira maererano nemirayiro yose, zvandakavarayira, mitemo, nezvandakatema zvakapiwa kubudikidza naMozisi.” Asi Manase akatungamirira Judha navanhu veJerusarema mukurasika, zvokuti vakaita zvakatonyanya kuipa kupfuura ndudzi dzose dzakanga dzaparadzwa pamberi pavaIsraeri. Jehovha akataura naManase navanhu vake, asi ivo havana kuteerera. Saka Jehovha akauyisa vatungamiri vehondo yavaAsiria kuzovarwisa vakatora Manase somusungwa, vakaisa chikokovonho mumhino yake, vakamusunga nengetani dzendarira vakaenda naye kuBhabhironi. Mukutambudzika kwake akatsvaka Jehovha Mwari wake akazvininipisa kwazvo pamberi paMwari wamadzibaba ake. Uye paakanyengetera kwaari, Jehovha akasundwa nokuzvininipisa kwake akateerera kudemba kwake. Saka akamudzosa kuJerusarema uye kuumambo hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiMwari. Mushure maizvozvi akavakazve rusvingo rwokunze rweGuta raDhavhidhi, kumavirira kwechitubu chepaGihoni mumupata, kusvika pavanopinda napo paSuo reHove akakomberedza chikomo chaOferi; akachiitawo kuti chinyanye kukwirira. Akamisa vakuru vehondo mumaguta ose ane masvingo muJudha. Akaparadza vamwari vose vedzimwe nyika akabvisa chifananidzo kubva mutemberi yaJehovha nearitari dzaakanga avaka pachikomo chetemberi nomuJerusarema akadzikanda kunze kweguta. Ipapo akavakazve aritari yaJehovha akabayira zvipiriso zvokuwadzana nokuvonga pairi. Uye akataurira Judha kuti ishumire Jehovha, Mwari weIsraeri. Zvisinei, vanhu vakaramba vachibayira panzvimbo dzakakwirira, asi kuna Jehovha Mwari wavo chete. Zvimwe zvakaitwa naManase panguva yokutonga kwake, kusanganisira munyengetero wake kuna Mwari wake, namashoko akataurwa navaoni kwaari muzita raJehovha Mwari waIsraeri, zvakanyorwa munhoroondo dzamadzimambo eIsraeri. Munyengetero wake uye kuti Mwari akasundwa sei nokuzvininipisa kwake, nezvivi zvake zvose nokusatendeka kwake, nenzvimbo dzaakavakira nzvimbo dzakakwirira nokumisa matanda aAshera nezvifananidzo asati azvininipisa, zvose zvakanyorwa munhoroondo dzavaoni. Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mumuzinda wake. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo. Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa naManase baba vake. Amoni akashumira uye akapa zvibayiro zvakanga zvagadzirwa naManase. Asi haana kuzoita sababa vake, haana kuzvininipisa pamberi paJehovha. Amoni akawedzera mhosva yake. Makurukota aAmoni akarangana akamuuraya mumuzinda wake. Ipapo vanhu venyika yose vakauraya vose vakanga varangana kuuraya mambo Amoni. Vakaita Josia mwanakomana wake mambo panzvimbo yake. Josia aiva namakore masere paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe chete. Akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha akafamba munzira dzababa vake Dhavhidhi, asingatendeukiri kurudyi kana kuruboshwe. Mugore rorusere rokutonga kwake, paakanga achiri mudiki akatanga kutsvaka Mwari wababa vake Dhavhidhi. Mugore regumi namaviri akatanga kunatsa Judha neJerusarema achibvisa nzvimbo dzakakwirira, matanda aAshera, zvifananidzo zvakavezwa nezvakaumbwa. Pakurayira kwake aritari dzavana Bhaari dzakaputsirwa pasi; akatematema aritari dzezvinonhuwira dzaiva pamusoro padzo akaparadza matanda aAshera, zvifananidzo nezviumbwa izvi akazviputsa kuita zvidimbu zvidimbu akazviparadzira pamakuva avanhu vaibaira kwazviri. Akapisa mapfupa avaprista paaritari dzavo, uye saizvozvo akachenesa Judha neJerusarema. Mumaguta aManase, Efuremu neSimeoni kusvikira kuNafutari, nomumatongo akaapoteredza, akaputsira pasi aritari namatanda aAshera akaparadza zvifananidzo kusvikira zvaita upfu, akatema-tema kuita zvidimbu zvidimbu aritari dzose dzezvinonhuwira muIsraeri yose. Ipapo akadzokera kuJerusarema. Mugore regumi namasere rokutonga kwaJosia pakuchenesa nyika netemberi, akatuma Shafani mwanakomana waAzaria naMaaseya mutongi weguta, vaina Joa mwanakomana waJohazi munyori, kuti vagadziridze temberi yaJehovha Mwari wake. Vakaenda kuna Hirikia muprista mukuru vakamupa mari yakanga yauyiswa mutemberi yaMwari, yakanga yaunganidzwa navaRevhi vaiva vachengeti vamasuo, kubva kuvanhu vaManase, Efuremu navose vakanga vasara veIsraeri uye kubva kuvanhu vose veJudha neBenjamini navagari veJerusarema. Ipapo vakaichengetesa varume vakanga vapiwa basa rokuva vatariri vebasa rapatemberi yaJehovha. Varume ava vakaripira vashandi vaigadziridza nokuvaka patsva temberi. Vakapawo mari kuvavezi navavaki kuti vatenge matombo okuvakisa akavezwa namatanda okubatanidza nokuita mapango edzimba dzakanga dzaregererwa namadzimambo eJudha dzichiparara. Varume ava vakaita basa zvakatendeka. Vari vatungamiriri vaiva Jahati naObhadhia, vaRevhi vaiva zvizvarwa zvaMerari, uye Zekaria naMeshurami zvizvarwa zvaKohati. VaRevhi, vose vaigona kuridza zviridzwa, vaitungamirira vashandi vari vatariri vavashandi vose pamabasa akasiyana-siyana. Vamwe vaRevhi vaiva vanyori, vatariri navachengeti vamasuo. Pavakanga vachiburitsa mari yakanga yaiswa mutemberi yaJehovha, Hirikia muprista akawana Bhuku roMurayiro waJehovha wakanga wapiwa kubudikidza naMozisi. Hirikia akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurayiro mutemberi yaJehovha.” Akaripa kuna Shafani. Ipapo Shafani akatora bhuku riya akaenda naro kuna Mambo akati, “Machinda enyu ari kuita zvose zvaakanzi aite. Vakapa mari yakanga iri mutemberi yaJehovha vakaiisa mumaoko avatariri navashandi.” Ipapo Shafani munyori akati kuna mambo, “Hirikia muprista andipa bhuku.” Uye Shafani akaverenga kubva mariri pamberi pamambo. Mambo paakanzwa mashoko omurayiro, akabvarura nguo dzake. Akarayira Hirikia, Ahikami mwanakomana waShafani, Abhidhoni mwanakomana waMika, Shafani munyori naAsaya mushandi wamambo kuti, “Endai munondibvunzira kuna Jehovha mubvunzewo vakasara muIsraeri neJudha pamusoro pezvakanyorwa mubhuku iri rawanikwa. Hasha dzaJehovha izhinji kwazvo dzinodururirwa pamusoro pedu nokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha; havana kuita sezvakanyorwa mubhuku iri.” Hirikia naavo vakatumwa naro namambo vakaenda kundotaura nomuprofitakadzi Huridha, uyo aiva mukadzi waSharumi mwanakomana waTobhati mwanakomana waHazira muchengeti wenguo. Aigara muJerusarema, muDunhu reChipiri. Iye akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: Udza murume akutumirai kwandiri kuti, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichauyisa zvakaipa munzvimbo iyi nomuvanhu vayo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku raverengwa pamberi pamambo weJudha. Nokuti vakandisiya vakapisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari vakamutsa hasha dzangu nezvose zvakagadzirwa namaoko avo, hasha dzangu dzichadururirwa panzvimbo ino uye hadzizodzimurwi.’ Taurirai mambo weJudha, akutumai kuti muzobvunza kuna Jehovha, kuti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pamashoko awanzwa: ‘Nokuti mwoyo wako wateerera uye wazvininipisa pamberi paMwari pawanzwa zvaakataura pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo zvakaipa, uye nokuti wazvininipisa pamberi pangu ukabvarura nguo dzako ukachema pamberi pangu, ndakunzwa ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvino iwe ndichakuuyisa kuna madzibaba ako, uye uchavigwa murunyararo. Meso ako haachazooni zvakaipa zvose zvandichauyisa panzvimbo ino napane vose vanogara pano.’ ” Saka vakatora mhinduro yake vakadzoka nayo kuna mambo. Ipapo mambo akaunganidza vakuru vose veJudha neJerusarema. Akaenda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, vanhu veJerusarema, vaprista navaRevhi, vanhu vose kubva kuno mudiki kusvika kuno mukuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha. Mambo akamira pashongwe yavo vakamutsiridza sungano pamberi paJehovha, kuti vatevere Jehovha uye vachengete mirayiro yake, zvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose nomweya wake wose uye kuti ateerere mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri. Apedza izvi akaita kuti munhu wose womuJerusarema neBenjamini azvipire kwairi; vanhu vomuJerusarema vakaita izvi maererano nesungano yaMwari, Mwari wamadzibaba avo. Josia akabvisa zvifananidzo zvose zvinonyangadza munyika yose yavaIsraeri akaita kuti vose vaiva muIsraeri vashumire Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose, havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo. Josia akapemberera Pasika kuna Jehovha muJerusarema, uye gwayana rePasika rakaurayiwa pazuva regumi neina romwedzi wokutanga. Akamisa vaprista pamabasa avo akavakurudzira kuti vashumire mutemberi yaJehovha. Akati kuvaRevhi, vaidzidzisa Israeri yose uye vakanga vakatsaurirwa kuna Jehovha, “Isai areka yesungano mutemberi yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri. Haifaniri kutakurwa pamapfudzi enyu. Zvino shumirai Jehovha Mwari uye navanhu vake Israeri. Zvigadzirirei nemhuri dzenyu mumapoka enyu, maererano nezvakarayirwa zvakanyorwa naDhavhidhi mambo weIsraeri nomwanakomana wake Soromoni. “Mirai munzvimbo tsvene neboka ravaRevhi pachikamu chiduku cheboka chimwe nechimwe chemhuri dzehama dzenyu. Urayai makwayana ePasika muzvinatse mugadzirire makwayana kuitira hama dzenyu, muchiita zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.” Josia akapa vamwe vanhu vose vakanga varipo makwai nembudzi zvaisvika zviuru makumi matatu sezvipiriso zvePasika, uyewo nemombe zviuru zvitatu, zvose izvi zvakabva mupfuma yamambo. Machinda ake akapawo nokuda kwavo kuvanhu nokuvaprista navaRevhi. Hirikia, Zekaria naJehieri, mutariri mukuru wetemberi yaMwari akapa vaprista zvipiriso zviuru zviviri namazana matanhatu nemombe mazana matatu. Uyewo Konania pamwe chete naShemaya naNetaneri vanun'una vake, naHashabhia, Jeyeri naJozabhadhi, vatungamiri vavaRevhi, vakapa zvipiriso zvePasika zviuru zvishanu nemombe mazana mashanu zvavaRevhi. Nguva yokushumira yakarongwa vaprista vakamira munzvimbo dzavo vaine vaRevhi mumapoka avo sezvakanga zvarayirwa namambo. Makwayana ePasika akaurayiwa, vaprista vakasasa ropa ravakapiwa, vaRevhi vachivhiya mhuka idzi. Vakaisa parutivi zvipiriso zvinopiswa kuti vazvipe kuzvikamu zvamapoka emhuri dzavanhu kuti vazvipe kuna Jehovha sezvazvakanyorwa mubhuku raMozisi. Vakaita zvimwe chetezvo nemombe. Vakagocha mhuka dzePasika pamoto nenzira yakarayirwa, vakabikira zvipiriso zvitsvene muhari, mumakate nomumakango uye vakapa vanhu vose nokukurumidza. Vapedza izvi, vakatanga kugadzirira zvavo nezvavaprista, nokuti vaprista vezvizvarwa zvaAroni vakabayira zvipiriso zvinopiswa namafuta azvo kusvikira usiku. Saka vaRevhi vakazvigadzirira ivo navaprista vorudzi rwaAroni. Vaimbi, zvizvarwa zvaAsafi, vakanga vari munzvimbo dzakanga dzarayirwa naDhavhidhi, Asafi, Hemani naJedhutuni muoni wamambo. Vachengeti vamasuo pasuo rimwe nerimwe vaisafanira kusiya nzvimbo dzavo nokuti dzimwe hama dzavo vaRevhi vaivagadzirirawo zvavo. Saka panguva iyoyo basa rose raJehovha rakaitwa kuti vapemberere Pasika nezvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha sezvakanga zvarayirwa naMambo Josia. VaIsraeri vakanga varipo vakapemberera Pasika panguva iyoyo vakacherechedza Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe. Pasika haina kunge yambocherechedzwa saizvozvi muIsraeri kubva pamazuva omuprofita Samueri; uye hakuna kana mumwe chete pamadzimambo eIsraeri akanga apemberera Pasika sezvakaitwa naJosia navaprista, vaRevhi neJudha yose neIsraeri vakanga varipo navanhu veJerusarema. Pasika iyi yakapembererwa mugore regumi norusere rokutonga kwaJosia. Mushure maizvozvi zvose, Josia paakanga agadziridza zvinhu mutemberi, Neko mambo weIjipiti, akakwira kundorwa paKakemishi paYufuratesi, uye Josia akabudawo kundosangana naye kuti varwe. Asi Neko akatuma nhume kwaari achiti, “Ibopoto ripiko riripo pakati pangu newe, nhai mambo weJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandiri kurwisana nayo. Mwari andiudza kuti ndikurumidze; saka mira kurwisana naMwari, ari kurutivi rwangu, kana kuti achakuparadza.” Kunyange zvakadaro Josia haana kubva kwaari asi akazvishandura kuti arwe naye muhondo. Haana kuda kuteerera zvakanga zvataurwa naNeko sokurayira kwaMwari asi akaenda kundorwa naye pabani reMegidho. Vawemburi vouta vakapfura Mambo Josia, uye iye akati kumachinda ake, “Ndibvisei pano; ndakuvara zvakaipisisa.” Saka vakamutora vakamuburitsa mungoro yake vakamuisa mune imwe ngoro yaakanga anayo, vakauya naye kuJerusarema, kwaakandofira. Akavigwa mumakuva amadzibaba ake, uye Judha yose neJerusarema vakamuchema. Jeremia akanyora dzimbo dzokuchema Josia, uye kusvikira nhasi vaimbi vechirume navakadzi vose vanorangarira Josia munziyo idzodzo. Zvimwe zvakaitwa naJosia panguva yokutonga kwake, namabasa okuzvipira kwake maererano nezvakanyorwa mumirayiro waJehovha, zvose zvaakaita kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neJudha. Uye vanhu vomunyika iyi vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuita mambo muJerusarema panzvimbo yababa vake. Jehoahazi akanga ana makore makumi maviri namatatu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwemwedzi mitatu. Mambo weIjipiti akamubvisa paumambo muJerusarema akatemera Judha kuti iripe matarenda zanaa esirivha netarendab regoridhe. Mambo weIjipiti akaita Eriakimu mukoma waJehoahazi, kuti ave mambo pamusoro peJudha neJerusarema akashandura zita raEriakimu kuti anzi Jehoyakimi. Asi Neko akatora munun'una waEriakimu Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti. Jehoyakimi akanga aina makore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe chete akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake. Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akamurwisa akamusunga nengetani dzendarira kuti amutore aende naye kuBhabhironi. Nebhukadhinezari akatorawo midziyo yomutemberi yaJehovha akaenda nayo kuBhabhironi akandoiisa mutemberi yake ikoko. Zvimwe zvakaitwa panguva yokutonga kwaJehoyakimi, zvinhu zvinonyangadza zvaakaita nezvose zvakawanikwa zvaakakanganisa, zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neJudha. Uye Jehoyakini mwanakomana wake akamutevera paumambo. Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwemwedzi mitatu namazuva gumi. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Pakupera kwegore, Mambo Nebhukadhinezari akatuma shoko rokuti auyiswe kuBhabhironi pamwe chete nemidziyo inokosha kubva mutemberi yaJehovha, akaita munun'una waJehoyakini, Zedhekia, mambo pamusoro peJudha neJerusarema. Zedhekia akanga ava namakore makumi maviri nerimwe paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha uye haana kuzvininipisa pamberi pomuprofita Jeremia, akataura shoko raJehovha. Akamukirawo Mambo Nebhukadhinezari akanga amuita kuti ape mhiko muzita raMwari. Akaomesa mutsipa akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendeukira kuna Jehovha, Mwari weIsraeri. Uyezve vakuru vose vavaprista navanhu vakanyanya kutadza vachitevera zvinonyangadza zvose zvendudzi vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga akudza kwazvo muJerusarema. Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akatuma shoko rake kubudikidza nenhume dzake nguva nenguva, nokuti akaitira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara. Asi vakashora nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake vakadadira vaprofita vake kusvikira hasha dzaMwari dzavamukira uye pasisina zvingagadziridzwa. Akauyisa mambo wavaBhabhironi kuti azovarwisa uye akauraya majaya avo nomunondo munzvimbo tsvene, uye hapana waakasiya, jaya kana mhandara, varume vakuru kana vatana. Mwari akavapa vose kuna Nebhukadhinezari. Akatakura midziyo yose yaiva mutemberi yaMwari akaenda nayo kuBhabhironi, zvose zvikuru nezvidiki nepfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yaMambo namachinda ake. Vakapisa temberi yaMwari vakaputsa rusvingo rweJerusarema; vakapisa mizinda yose uye vakaparadza zvose zvaikosha imomo. Akatakura vose vakanga vasara muutapwa avo vakanga vapunyuka kubva pamunondo uye vakava varanda vake nevevanakomana vake kusvikira pakutanga umambo hwePezhia kutonga. Nyika yakava namaSabata ayo ezororo; panguva yose yokuparadzwa kwayo yakazorora, kusvikira makore makumi manomwe apera kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe. Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, kuitira kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe, Jehovha akasunda mwoyo waSirasi mambo wePezhia kuti aparadzire kuumambo hwake hwose uye kuti azvinyore achiti, “Zvanzi naSirasi mambo wePezhia, ‘Jehovha Mwari wedenga, andipa umambo hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha. Ani naani wavanhu vake vari pakati penyu, Jehovha Mwari wake ave naye, uye ngaaende ikoko.’ ” Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, shoko raJehovha rakataurwa nomuromo waJeremia kuti rizadziswe, Jehovha akamutsa mwoyo waSirasi mambo wePezhia, kuti aite chiziviso munyika yake yose uye akaita kuti chinyorwe chichiti: “Zvanzi naSirasi mambo wePezhia, ‘Jehovha, Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha. Ani naani wavanhu vake ari pakati penyu, Mwari wake ngaave naye, uye regai aende zvake kuJerusarema kuJudha andovaka temberi yaJehovha, Mwari waIsraeri, iye Mwari anogara muJerusarema. Zvino vanhu vagere panzvimbo ipi neipi zvayo pagere vakasara vanofanira kumupa sirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye vagomupa zvipo zvavanozvidira zvetemberi yaMwari muJerusarema.’ ” Ipapo vakuru vedzimba veJudha neveBhenjamini, navaprista uye navaRevhi, vose avo vakanga vamutswa mwoyo naMwari, vakagadzirira kuenda kundovaka imba yaJehovha muJerusarema. Vavakidzani vavo vose vakavabatsira nemidziyo yesirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye nezvipo zvinokosha, kuwedzera pamusoro pezvipo zvokuzvidira. Pamusoro pezvo, Mambo Sirasi akaburitsa midziyo yomutemberi yaJehovha, iyo yakanga yatorwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari uye akanga aiisa mutemberi yamwari wake. Sirasi mambo wePezhia akarayira kuti ibudiswe naMitiredhati muchengeti wepfuma, uyo akaiverenga achiipa kuna Sheshibhazari muchinda weJudha. Uku ndiko kuwanda kwayakanga yakaita: ndiro dzegoridhe dzaiva makumi matatu; ndiro dzesirivha dzaiva chiuru; pani dzesirivha dzaiva makumi maviri namapfumbamwe; mbiya dzegoridhe dzaiva makumi matatu; mbiya dzesirivha dzakafanana-fanana dzaiva mazana mana negumi; uye mimwewo midziyo yaiva chiuru. Yose pamwe chete, midziyo yegoridhe neyesirivha yaiva zviuru zvishanu namazana mana. Sheshibhazari akaendesa izvi zvose panguva iyo vatapwa vakabva kuBhabhironi vachienda kuJerusarema. Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake, vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, naJeshua, naNehemia, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi uye naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri: zvizvarwa zvaParoshi zvaiva zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri; zvaShefatia zvaiva mazana matatu namakumi manomwe navaviri; zvaAra zvaiva mazana manomwe namakumi manomwe navashanu; ZvaPahati-Moabhu (vorudzi rwaJeshua naJoabhu) zvaiva zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri; zvaEramu zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana; zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu; zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu; zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri; zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu; zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri namaviri; zvaAdhorikami zvaiva mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu; zvaBhigivhai zvaiva zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu; zvaAdhini zvaiva mazana mana namakumi mashanu navana; zvaAteri (vorudzi rwaHezekia) zvaiva makumi mapfumbamwe navasere; zvaBhezai zvaiva mazana matatu namakumi maviri navatatu; zvaJora zvaiva zana negumi navaviri; zvaHashumi zvaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu; zvaGibhari zvaiva makumi mapfumbamwe navashanu; varume veBheterehema vaiva zana namakumi maviri navashanu; veNetofa vaiva makumi mashanu navatanhatu; veAnatoti vaiva zana namakumi maviri navasere; veAzimavheti vaiva makumi mana navaviri; veKiriati Jearimi, Kefira, neBheroti vaiva mazana manomwe namakumi mana navatatu; veRama neGebha vaiva mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete; veMikimashi vaiva zana namakumi maviri navaviri; veBheteri neAi vaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu; veNebho vaiva makumi mashanu navaviri; veMagibhishi vaiva zana namakumi mashanu navatanhatu; veEramu yechipiri vaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana; veHarimi vaiva mazana matatu namakumi maviri; veRodhi neHadhidhi neOno vaiva mazana manomwe namakumi maviri navashanu; veJeriko vaiva mazana matatu namakumi mana navashanu; veSena, vaiva zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu. Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (veimba yaJeshua) vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu; zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri; zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe; zvaHarimi zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe. VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana. Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi zvaiva zana namakumi maviri navasere. Varindi vapasuo reTemberi: zvizvarwa zvaSharumi, zvaAteri zvaTarimoni zvaAkubhi, nezvaHatita nezvaShobhai zvaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe. Vashandi vomutemberi: zvizvarwa zvaZiha, zvaHasupa, zvaTabhaoti, zvaKerosi, zvaSiaha, zvaPadhoni, zvaRebhana, zvaHagabha, zvaAkubhi, zvaHagabhi, zvaSharimai, zvaHanani, zvaGidheri, zvaGahari, zvaReaya, zvaRezini, zvaNekodha, zvaGazami, zvaUza, zvaPasea, zvaBhesai, zvaAsina, zvaMeumini, zvaNefusimi, zvaBhakubhiki, zvaHakufa, zvaHarihuri, zvaBhaziruti, zvaMehidha, zvaHarisha, zvaBharikosi, zvaSisera, zvaTema, zvaNezia uye nezvaHatifa. Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zvaSotai, zvaHasofereti zvaPerudha, zvaJaara, zvaDharikoni, zvaGidheri, zvaShefatia, zvaHatiri, zvaPokereti-Hazebhaimi uye nezvaAmi. Varanda vaishanda mutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri. Ava ndivo vakauya vachibva kumaguta eTeri Mera, Teri Harisha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza dzimba dzamadzi-baba avo kwavakanga vakaberekerwa muIsraeri: Zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri. Uye kubva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, zvaHakozi uye nezvizvarwa zvaBhazirai (murume akanga awana mwanasikana waBhazirai muGireadhi uye akazotumidzwa zita iroro). Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana saka nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista. Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi. Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu, tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vanewo varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi. Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, mahesera mazana maviri namakumi mana namashanu, ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri. Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakapa nokuzvidira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo. Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwea egoridhe, nemamina zviuru zvishanub esirivha uye nenguo dzavaprista zana. Vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova uye navashandi vomutemberi vakagara mumaguta avo, pamwe chete navamwe vavanhu, uye vamwe vaIsraeri vose vakagara mumaguta avowo. Mwedzi wechinomwe wakati wasvika uye vana veIsraeri vakanga vagara mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete muJerusarema. Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki navamwe vake vaprista naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri neshamwari dzake vakatanga kuvaka aritari yaMwari weIsraeri kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, maererano nezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, munhu waMwari. Vakavakira aritari pahwaro uye vakabayirapo kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa, zvose zvipiriso zvinopiswa zvamangwanani nezvamadekwana, zvisinei kuti vaitya vanhu vakanga vakavapoteredza. Ipapo vakapemberera Mutambo waMatumba sezvazvakanga zvakanyorwa, nouwandu hwaidikanwa hwezvipiriso zvinopiswa hwakanga hwakanyorwa, hwezuva rimwe nerimwe. Mushure maizvozvo, vakapa chipiriso chinopiswa chenguva dzose, nezvibayiro zvapaKugara kwoMwedzi uye nezvibayiro zvemitambo yose mitsvene yaJehovha yakanga yakatarwa, pamwe chetewo neizvo zvakauuyiswa sezvipo zvokuzvidira kuna Jehovha. Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe vakatanga kupa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kunyange zvazvo nheyo dzetemberi yaJehovha dzakanga dzichigere kuteyiwa. Ipapo vakapa mari kuvavezi vamabwe navavezi vamatanda, uye vakapa zvokudya nezvokunwa namafuta kuvanhu veSidhoni neveTire, kuitira kuti vatore matanda emisidhari kubva kuRebhanoni vagoayeredza nemvura yegungwa kuti aende kuJopa, sezvakanga zvatenderwa naSirasi mambo wePezhia. Mumwedzi wechipiri wegore rechipiri mushure mokunge vasvika paimba yaMwari muJerusarema, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki nedzimwe hama dzavo dzose (vaprista navaRevhi uye navose vakanga vadzokera kuJerusarema) vachibva kuutapwa vakatanga kushanda vakagadza vaRevhi vana makore makumi maviri kana anopfuura kuti vave vatariri vokuvakwa kweimba yaJehovha. Jeshua navanakomana vake nehama dzake naKadhimieri navanakomana vake (zvizvarwa zvaHodhavhia) navanakomana vaHenadhadhi navanakomana vavo nehama dzavo, navaRevhi vose vakabatana pamwe chete navo pakutarira vaishanda paimba yaMwari. Zvino vavaki vakati vateya nheyo dzetemberi yaJehovha, vaprista vakapfeka nguo dzavo, uye vakabata hwamanda, navaRevhi (vanakomana vaAsafi) vakabata makandira, vakamira munzvimbo dzavo kuti varumbidze Jehovha, sezvakanga zvarayirwa naDhavhidhi mambo weIsraeri. Vakaimba kuna Jehovha vachirumbidza nokutenda, vachiti: “Jehovha akanaka; rudo rwake kuna Israeri runogara nokusingaperi.” Uye vanhu vose vakadanidzira nenzwi guru rokurumbidza kuna Jehovha, nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa. Asi vazhinji vavaprista navaRevhi vakanga vakwegura navakuru vedzimba dzavo, avo vakanga vaona temberi yokutanga, vakachema nenzwi guru apo vakaona nheyo dzetemberi iyi dzichiteyiwa, asi vamwe vazhinji vaipururudza nomufaro. Hapana aigona kutsaura inzwi rokudanidzira kwomufaro kubva kuinzwi rokuchema kwavanhu, nokuti vanhu vakaita ruzha rukuru kwazvo. Uye ruzha urwu rwakanzwika kure kure. Vavengi veJudha neBenjamini vakati vanzwa kuti vatapwa vakanga vachivaka temberi yaJehovha, Mwari weIsraeri, vakauya kuna Zerubhabheri nokuvakuru vedzimba vakati, “Titenderei kuti tikubatsirei kuvaka nokuti tinotsvaka Mwari wenyu, sezvamunoitawo, uye tinomubayira kubva pamazuva aEsarihadhoni mambo waAsiria, akatisvitsa pano.” Asi Zerubhabheri, Jeshua navamwe vose vakuru vedzimba dzeIsraeri vakapindura vakati, “Hamuna mugove nesu mukuvaka temberi yaMwari wedu. Isu pachedu ndisu tichaivakira Jehovha, Mwari waIsraeri, sezvatakarayirwa naMambo Sirasi, mambo wePezhia.” Ipapo marudzi akanga akavakomberedza akauya kuzoodza mwoyo yavanhu veJudha uye nokuvaita kuti vatye kuramba vachivaka. Vakaripira vapi vamazano kuti vavapikise nokuvakanganisa paurongwa hwavo panguva yose yokutonga kwaSirasi mambo wePezhia uye kusvikira pakutonga kwaDhariasi mambo wePezhia. Pakutanga kwokubata ushe kwaZekisesi vakapomera mhosva kuvanhu veJudha neveJerusarema. Uye napamazuva aAtazekisesi mambo wePezhia, Bhishirami, Mitiredhati, Tabheeri navamwe vake vose vakanyora tsamba kuna Atazekisesi. Tsamba Yacho yakanga yakanyorwa namavara echiAramu uye nomutauro wechiAramu. Rehumi muchinda mukuru naShimishai munyori vakanyora tsamba kuna mambo Atazekisesi vachipomera Jerusarema vachiti: Rehumi muchinda mukuru naShimishai munyori, pamwe chete navamwe vavo vose, vatongi namakurukota vanotungamirira vanhu veTiriporisi, nevePezhia, neveEreki neBhabhironi, navaEramu veSusa, uye navamwe vanhu avo vakadzingwa naAshuribhanipari mukuru uye anokudzwa, uye vakandogara muguta reSamaria nokune dzimwe nzvimbo dziri mhiri kwaYufuratesi. Aya ndiwo mashoko etsamba yavakatumira kwaari: Kuna Mambo Atazekisesi, Kubva kuvaranda venyu, varume vagere mhiri kwaYufuratesi: Mambo ngaaziviswe kuti vaJudha vakabva kwenyu vakauya kwatiri kuno vakaenda kuJerusarema uye vava kuvakazve guta riya rokumukira uye rakaipa. Vari kuvakazve masvingo aro nokugadzira nheyo dzayo. Pamusoro pezvo, mambo ngaazive kuti kana guta iri rikavakwa uye masvingo aro akavakwazve, hakuchazovi nemitero, kana zvipo kana miripo ichazoripirwa, uye mari inoripwa kuna mambo ichava shoma. Zvino isu zvatinokudza imba yamambo, taona zvisina kufanira kuona mambo achininipiswa, naizvozvo tatumira mashoko aya kuti tizivise mambo, kuitira kuti kutsvagisiswe mumabhuku enhoroondo avakakutangirai. Mumabhuku aya muchaona kuti guta iri iguta rinomukira, rinotambudza madzimambo namatunhu, inzvimbo inomukira kubva kare. Ndokusaka guta iri rakaparadzwa. Tinozivisa mambo kuti kana guta iri rikavakwa uye masvingo aro akamiswazve, muchasara musina chinhu mhiri kwaYufuratesi. Mambo akatumira mhinduro iyi: Kuna Rehumi muchinda mukuru, naShimishai munyori navamwe vavo vose vagere muSamaria uye navagere mune dzimwe nzvimbo mhiri kwaYufuratesi: Kwaziwai. Tsamba yamakatitumira yakaverengwa uye ikadudzirwa pamberi pangu. Ndakarayira uye zvikatsvakwa, zvikaonekwa kuti guta iri rine nhoroondo yokumukira madzimambo kubva kare uye raiva nzvimbo yokumukira madzimambo nokurangana zvakaipa. Jerusarema rakanga rine madzimambo ane simba akanga achitonga nzvimbo yose iri mhiri kwaYufuratesi, uye mitero, nezvipo nemiripo yairipirwa kwavari. Zvino rayirai vanhu ava kuti varege basa, kuti guta iri rirege kuvakwa, kusvikira ini ndazorayira kuti zviitwe. Chenjererai kuti musarega nyaya iyi. Mungaregereiko chakaipa ichi chichikura, kuti chigokanganisa zvido zvamambo? Pakangoverengwa tsamba yaMambo Atazekisesi kuna Rehumi naShimishai munyori navamwe vavo, vakabva vaenda pakarepo kuvaJudha vaiva muJerusarema vakavamanikidza nechisimba kuti varege kuvaka. Nokudaro basa reimba yaMwari rakamira kuitwa muJerusarema kusvikira gore rechipiri rokutonga kwaDhariasi mambo wePezhia. Zvino muprofita Hagai naZekaria muprofita, chizvarwa chaIdho, vakaprofita kuvaJudha vakanga vari muJudha muJerusarema, vakaprofita muzita raMwari waIsraeri, akanga ari pamusoro pavo. Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki, vakasimuka kuti vaite basa rokuvakazve imba yaMwari muJerusarema. Uye vaprofita vaMwari vakanga vanavo, vachivabatsira. Panguva iyoyo Tatenai, mubati wenyika yaiva mhiri kwaYufuratesi, naShatari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaenda kwaari uye vakandomubvunza, vachiti, “Ndiani akakupai mvumo yokuvakazve temberi iyi uye nokumisazve masvingo aya?” Vakabvunzazve vakati, “Mazita avarume vari kuvaka imba iyi ndivana ani?” Asi ziso raMwari wavo rakanga rakatarira pamusoro pavakuru vavaJudha, uye havana kuvaregesa basa kusvikira nyaya iyi yaziviswa kuna Dhariasi uye mhinduro yake yakanyorwa yagamuchirwa. Aya ndiwo mashoko etsamba yakanyorerwa mambo Dhariasi naTatenai, mubati mhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai, neshamwari dzavo, namakurukota vakanga vari mhiri kwaYufuratesi. Tsamba yavakatumira kwaari yakanga ina mashoko anoti: Kuna Mambo Dhariasi: Tinokukwazisai. Mambo ngaazive kuti takaenda kudunhu reJudha, kutemberi yaMwari mukuru. Vanhu vari kuivaka namabwe makuru uye vachiisa matanda mumasvingo. Basa riri kuitwa nokushingaira uye riri kupfuurira mberi nokukurumidza mumaoko avo. Takabvunza vakuru vavo tikati kwavari, “Ndiani akakupai mvumo yokuti muvakezve temberi iyi nokumisazve masvingo aya?” Takavabvunzawo kuti mazita avo vainzi vanaani, tichiitira kuti tingonyora mazita avatungamiri vavo kuti togokuzivisai. Iyi ndiyo mhinduro yavakatipa: “Tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, uye tiri kuvakazve temberi yakambovakwa makore mazhinji akapfuura, iyo yakavakwa namambo mukuru weIsraeri uye akaipedza. Asi nokuda kwokuti madzibaba edu akatsamwisa Mwari wokudenga, akavaisa mumaoko aNebhukadhinezari muKaradhea, mambo weBhabhironi, uyo akaparadza temberi ino akatora vanhu akavaendesa kuBhabhironi. “Kunyange zvakadaro, mugore rokutanga raSirasi mambo weBhabhironi, Mambo Sirasi akatema chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve. Akabvisawo midziyo, yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari yakanga iri mutemberi yeBhabhironi, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari kubva kutemberi muJerusarema akaiuyisa kutemberi yomuBhabhironi. “Ipapo mambo Sirasi akaipa kumurume ainzi Sheshibhazari, waakanga agadza kuti ave mubati, uye akamuudza kuti, ‘Tora midziyo iyi uende nayo undoiisa mutemberi muJerusarema, uye ugovakazve imba yaMwari panzvimbo yayo.’ Naizvozvo Sheshibhazari uyu akauya akateya nheyo dzeimba yaMwari muJerusarema. Kubva pazuva iroro kusvikira nhasi yanga ichingovakwa, asi haisati yapera.” “Zvino kana zvichifadza mambo, ngavatsvakisise mumabhuku amadzimambo eBhabhironi kuti vaone kana Mambo Sirasi zvirokwazvo vakamboisa chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve muJerusarema. Naizvozvo mambo ngaatizivise kuda kwake pamusoro penyaya iyi.” Ipapo Mambo Dhariasi akatema chirevo, uye vakatsvakisisa mumabhuku enhoroondo dzakare aiva mudura repfuma muBhabhironi. Rugwaro rwakapetwa rwakawanikwa mumuzinda weEkibhatana mudunhu reMedhia, uye izvi ndizvo zvakanga zvakanyorwa parwuri: Chiziviso: Mugore rokutanga raMambo Sirasi, mambo akapa chirevo pamusoro pezvetemberi yaMwari muJerusarema achiti: Temberi ngaivakwezve ive nzvimbo yokubayira zvibayiro, uye nheyo dzayo ngadziteyiwe. Inofanira kuva namakubhiti makumi matanhatua paurefu namakubhiti makumi matanhatu paupamhi, ive nemitsara mitatu yamabwe makuru uye nomutsara mumwe chete wamatanda. Mari yokuvaka ngaitorwe kubva papfuma yamambo. Uyezve midziyo yegoridhe neyesirivha yeimba yaMwari yakatorwa naNebhukadhinezari kubva mutemberi muJerusarema akauya nayo kuBhabhironi, inofanira kudzoserwa panzvimbo yayo mutemberi muJerusarema; inofanira kuiswa muimba yaMwari. Zvino naizvozvo, Tatenai, mubati wenyika iri mhiri kwaYufuratesi, Sheshitari-Bhozenai, iwe namachinda avo omudunhu iro, musapindira pazvinhu izvi. Musakanganisa basa retemberi iyi yaMwari. Regai mubati wavaJudha navakuru vavaJudha vavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo. Pamusoro pezvo, ndinorayira zvino zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, pakuvakwa kweimba iyi yaMwari: Mari yose inodiwa kuripira varume ava ichabva papfuma yamambo ichibva pamitero inoripwa kubva mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti basa rirege kumira. Zvose zvinodiwa, dzingava hando duku, makondohwe, namakwayana makono, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari wokudenga, uye gorosi, munyu, waini namafuta, zvinenge zvakumbirwa navaprista muJerusarema, zvinofanira kupiwa kwavari zuva rimwe nerimwe musingadariki, kuti vagone kupa zvibayiro zvinofadza kuna Mwari wokudenga uye kuti vagone kunyengetererawo upenyu hwamambo nohwavanakomana vake. Pamusoro pezvo, ndinotemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango rinofanira kubviswa paimba yake, uye anofanira kuturikwa agorovererwa pariri. Uye nokuda kwemhaka iyi, imba yake inofanira kuitwa murwi wamarara. Mwari, akagarisa Zita rake ipapo, ngaaparadze mambo upi noupi kana vanhu vangatambanudza maoko avo kuti vashandure chirevo ichi kana kuparadza temberi iyi muJerusarema. Ini Dhariasi ndini ndatema chirevo ichi. Ngachizadziswe nenzira yakanyanyisa kunaka. Ipapo, nokuda kwechirevo chakanga chatumirwa naMambo Dhariasi, Tatenai mubati wemhiri kwaYufuratesi, naSheshitari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaita izvi nenzira yakanakisisa. Nokudaro vakuru vavaJudha vakaenderera mberi nokuvaka uye vakabudirira vachiparidzirwa naHagai muprofita naZakaria mwanakomana waIdho. Vakavaka temberi vakaipedza sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMwari weIsraeri nechirevo chaSirasi, Dhariasi naAtazekisesi madzimambo ePezhia. Temberi yakapera kuvakwa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariasi. Ipapo vanhu veIsraeri, vaprista, vaRevhi uye navamwe vose vakanga vakatapwa, vakapemberera kukumikidzwa kweimba yaMwari nomufaro. Pakukumikidzwa kweimba iyi yaMwari vakabayira hando zana, makondohwe mazana maviri, namakwayana makono mazana mana uye sechipiriso chechivi chavaIsraeri vose, vakabayira nhongo dzembudzi gumi nembiri, imwe ichimirira rudzi rumwe norumwe rwaIsraeri. Vakagadza vaprista mumapoka avo uye navaRevhi muzvikwata zvawo kuti vaite basa raMwari paJerusarema, sezvazvakanyorwa muBhuku raMozisi. Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga, vatapwa vakapemberera Pasika. Vaprista navaRevhi vakanga vazvinatsa uye vose vakanga vanatswa. VaRevhi vakabayira vatapwa vose gwayana rePasika, vakabayirawo hama dzavo vaprista naivo vamene. Nokudaro vaIsraeri vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakaidya, pamwe chete navose vakanga vazvitsaura kubva pazviito zvisina kururama zvaiitwa navavakidzani vavo vahedheni, kuti vatsvake Jehovha, Mwari waIsraeri. Kwamazuva manomwe vakapemberera nomufaro Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti Jehovha akanga avapa mufaro nokushandura mwoyo wamambo weAsiria, kuti avabatsire pakuitwa kwebasa reimba yaMwari, iye Mwari weIsraeri. Shure kwaizvozvo, panguva yokutonga kwaAtazekisesi mambo wePezhia, Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZodhaki, mwanakomana waAhitubhi, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waZerahia, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki, mwanakomana waAbhishua, mwanakomana waFinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni muprista mukuru, Ezira uyu akauya kubva kuBhabhironi. Akanga ari mudzidzisi aiziva kwazvo Murayiro waMozisi, wakanga wapiwa naJehovha, Mwari waIsraeri. Mambo akanga amupa zvose zvaakanga akumbira, nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake. Vamwe vavaIsraeri, vaisanganisira vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vamasuo navaranda vomutemberi, vakauyawo kuJerusarema mugore rechinomwe rokutonga kwaMambo Atazekisesi. Ezira akasvika muJerusarema mumwedzi wechishanu wegore rechinomwe ramambo. Akanga atanga rwendo rwake kubva kuBhabhironi zuva rokutanga romwedzi wokutanga akasvika muJerusarema pazuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake. Nokuti Ezira akanga akazvipira kunzvera nokutevera Murayiro waJehovha, uye nokudzidzisa mitemo nemirayiro yawo muIsraeri. Aya ndiwo mashoko etsamba yaMambo Atazekisesi yaakapa Ezira muprista nomudzidzisi, murume akanga akadzidza pamusoro pezvemirayiro nemitemo yaJehovha kuIsraeri: Atazekisesi mambo wamadzimambo, kuna Ezira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga: Kwaziwa. Ini ndinotema chirevo kuti ani naani muIsraeri ari muumambo hwangu, kusanganisira vaprista navaRevhi, avo vanoda zvavo kuenda newe kuJerusarema, ngavaende. Uri kutumwa namambo navapi vake vamazano vanomwe kundobvunzisisa pamusoro peJudha neJerusarema maererano noMurayiro waMwari wako, uri muruoko rwako. Pamusoro pezvo unofanira kutora sirivha negoridhe rakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo kuna Mwari waIsraeri, iye agere muJerusarema, pamwe chete nesirivha negoridhe rose raungawana kubva kudunhu reBhabhironi, pamwe chetewo nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo nezvavaprista, zvetemberi yaMwari wavo muJerusarema. Nemari iyi unofanira kutenga hando, makondohwe, namakwayana makono, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvezviyo nezvinonwiwa, uye mugozvibayira paaritari yetemberi yaMwari muJerusarema. Ipapo iwe nehama dzako vaJudha mungaita zvenyu zvose zvamunoona zvakafanira nesirivha negoridhe rose rinenge rasara maererano nokuda kwaMwari wenyu. Ipai midziyo yose kuna Mwari weJerusarema iyo yamakapiwa kuti mushumire nayo mutemberi yaMwari wenyu. Uye zvimwe zvose zvinodiwa patemberi yaMwari wako zvaunofanira kuendesa kutemberi, unofanira kuzvitora kubva papfuma yamambo. Zvino ini, Mambo Atazekisesi, ndinorayira vabati vose vehomwe dzemari mhiri kwaYufuratesi kuti mupe nokushingairira zvose zvingakumbirwa naEzira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga, kusvikira pamatarenda esirivha zanaa, nezviyero zanab zvezviyo namabhati zanac ewaini, namabhati zana amafuta amaorivhi, uye nomunyu wose unodiwa. Chinhu chipi nechipi chakarayirwa naMwari wokudenga, ngachiitwe nokushingaira kutemberi yaMwari wokudenga. Ko, ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwireiko? Ndinokuzivisaiwo kuti hamufaniri kuripisa mitero nemiripo kana zvipo kuvaprista, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaranda vomutemberi kana vamwe vashandi vapaimba yaMwari. Uye iwe, Ezira, maererano nouchenjeri hwaMwari wako, hwaunahwo, ugadze vaongorori vemhosva, navatongi kuti vatonge nokururamisira vanhu vose vari mhiri kwaYufuratesi, vose vanoziva mirayiro yaMwari wako. Uye unofanira kudzidzisa vose vasingaizivi. Ani naani asingateereri murayiro waMwari wako uye nomurayiro wamambo, zvirokwazvo anofanira kurangwa norufu, kana kudzingwa, kana kutorerwa pfuma, kana kuiswa mutorongo. Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari wamadzibaba edu, uyo akaisa izvi mumwoyo mamambo, kuti auyise kukudzwa kuimba yaJehovha muJerusarema nenzira yakadai, uye akandiitira nyasha dzake dzakanaka pamberi pamambo namakurukota ake namachinda ake ose ane simba. Nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga rwuri pamusoro pangu, ndikashinga uye ndikakoka varume vaikudzwa pakati pavaIsraeri kuti vaende neni. Ava ndivo vakuru vemhuri naavo vakanyorwa pamwe chete navo vakauya pamwe chete neni kubva kuBhabhironi panguva yokutonga kwaMambo Atazekisesi: kuzvizvarwa zvaFinehasi, Gerishomi; kuzvizvarwa zvaItamari, Dhanieri; kuzvizvarwa zvaDhavhidhi, Hatushi akabva kuzvizvarwa zvaShekania; kuzvizvarwa zvaParoshi, Zekaria, uye pamwe chete naye kwakanyorwa varume zana namakumi mashanu; kuzvizvarwa zvaPahati-Moabhu, Eriehoenai mwanakomana waZekaria, uye pamwe chete naye varume mazana maviri; kuzvizvarwa zvaZatu, Shekania mwanakomana waJahazieri, uye pamwe chete naye varume mazana matatu; kuzvizvarwa zvaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani, uye pamwe chete naye varume makumi mashanu; kuzvizvarwa zvaEramu, Jeshaya mwanakomana waAtaria uye pamwe chete naye varume makumi manomwe; kuzvizvarwa zvaShefatia, Zebhadhia mwanakomana Mikaeri, uye pamwe chete naye varume makumi masere; kuzvizvarwa zvaJoabhu, Obhadhia mwanakomana waJehieri, uye pamwe chete naye varume mazana maviri negumi navasere; kuzvizvarwa zvaBhani, Sheromiti mwanakomana waJosifia, uye pamwe chete naye varume zana namakumi matanhatu; kuzvizvarwa zvaBhebhai, Zekaria mwanakomana waBhebhai, uye pamwe chete naye varume makumi maviri navasere; kuzvizvarwa zvaAzigadhi, Johanani mwanakomana waHakatani, uye pamwe chete naye varume zana negumi; kuzvizvarwa zvaAdhonikami, ivo vokupedzisira, mazita avo vaiti Erifereti, Jeuyeri naShemaya, uye pamwe chete navo varume makumi matanhatu; kuzvizvarwa zvaBhigivhai, Utai naZakuri, uye pamwe chete navo varume makumi manomwe. Ndakavaunganidza vose parwizi runoerera rwakananga kuAhavha, uye takagarapo pamisasa kwamazuva matatu. Pandakacherechedza pakati pavanhu navaprista, handina kuona vaRevhi pakati pavo. Nokudaro ndakadana Eriezeri, Arieri, Shemaya, Erinati, Jaribhi, Erinatani, Natani, Zekaria, naMeshurami, avo vakanga vari vatungamiri naJoyaribhi naErinatani, avo vakanga vari varume vakadzidza, uye ndakavatuma kuna Idho, mutungamiri womuKasifia. Ndakavaudza zvokutaura kuna Idho nehama dzake, varanda vomutemberi muKasifia, kuitira kuti vagouya navashandi vomumba maMwari wedu kwatiri. Nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwakanga rwuri pamusoro pedu, vakauya naSherebhia, murume aikwanisa, akabva kuzvizvarwa zvaMari, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsraeri, uye navanakomana vaSherebhia nehama dzake, varume gumi navasere, uye Hashabhia, pamwe chete naJeshaya aibva kuzvizvarwa zvaMerari, nehama dzake navana vavo, varume makumi maviri. Vakauyawo navaranda vomutemberi mazana maviri namakumi maviri, uwandu hwakanga hwanyorwa naDhavhidhi namakurukota kuti vabatsire vaRevhi. Vose vakanga vakanyorwa mazita avo. Ipapo, paRwizi rweAhavha, ndakatara nguva yokutsanya kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu uye kuti timukumbire kuti atifambise rwendo rwakanaka isu navana vedu nepfuma yedu yose. Nokuti ndakanyara kukumbira mambo kuti atipe varwi navatasvi vamabhiza kuti vatirwire kubva kuvavengi vedu parwendo nokuti takanga taudza mambo kuti, “Ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwuri pamusoro pomunhu wose anotarira kwaari.” Naizvozvo takatsanya uye tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, uye akapindura munyengetero wedu. Ipapo ndakatsaura vaprista vaitungamira gumi navaviri, pamwe chete naSherebhia, naHashabhia uye nehama dzavo gumi, uye ndakavaerera zvipiriso zvesirivha negoridhe nemidziyo yakanga yapiwa kuimba yaMwari wedu namambo navapi vake vamazano namakurukota ake uye navaIsraeri vose. Ndakavaerera matarenda mazana matanhatu namakumi mashanua esirivha, nemidziyo yesirivha yairema matarenda zanab, namatarenda zana egoridhe, mbiya dzegoridhe makumi maviri dzaikosha madhariki chiuru chimwe chetec, uye nemidziyo miviri yakaisvonaka yendarira yaibwinya, inokosha segoridhe. Ndakati kwavari, “Imi pamwe chete nemidziyo iyi makatsaurirwa Jehovha. Sirivha negoridhe ndizvo zvipo zvokupa nokuzvidira kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Muzvirinde zvakanaka kusvikira mazviyera pamberi pavakuru vavaprista navaRevhi uye navakuru vemhuri dzavaIsraeri paJerusarema mumakamuri eimba yaJehovha.” Ipapo vaprista navaRevhi vakagamuchira sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene yakanga yaerwa kuti iendeswe kuimba yaMwari wedu muJerusarema. Pazuva regumi namaviri romwedzi wokutanga takabva parwizi rweAhavha tichienda kuJerusarema. Ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pamusoro pedu, uye akatidzivirira kubva kuvavengi navakanga vakativandira panzira. Saka takasvika muJerusarema tikazororamo kwamazuva matatu. Pazuva rechina, muimba yaMwari takayera sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene mumaoko aMeremoti mwanakomana waUria, muprista. Ereazari mwanakomana waFinehasi akanga aripowo naye, uye navaRevhi vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhia mwanakomana waBhinui. Zvinhu zvose zvakaverengwa uwandu hwazvo uye zvikayerwa, uye uremu hwazvo zvose hwakanyorwa panguva iyoyo. Ipapo vatapwa vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakabayira zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri: hando gumi nembiri dzavaIsraeri vose, makondohwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makono makumi manomwe namanomwe, uye nhongo dzembudzi gumi nembiri, sechipiriso chechivi. Zvose izvi zvaiva chipiriso chinopiswa kuna Jehovha. Vakapawo zvirevo zvamambo kumachinda amambo uye navabati mhiri kwaYufuratesi, avo vakazopawo rubatsiro kuvanhu nokuimba yaMwari. Mushure mokunge zvinhu izvi zvose zvaitwa, vatungamiri vakauya kwandiri vakati, “Vanhu veIsraeri, zvichisanganisira vaprista navaRevhi, havana kuzvitsaura kubva kumarudzi avakavakidzana nawo nezvinonyangadza zvavo, zvakafanana nezvevaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhu, vaIjipita uye navaAmori. Vakatora vanasikana vavo vakavapa kuti vave vakadzi vavo uye nevevanakomana vavo, uye vakasanganisa rudzi rutsvene navanhu vakavapoteredza. Uye vatungamiri namakurukota ndivo vakatanga pakusatendeka uku.” Zvino ndakati ndichinzwa izvi, ndakabvarura nguo yangu nejasi rangu, ndikadzura bvudzi kubva mumusoro mangu nendebvu dzangu uye ndikagara pasi ndashungurudzika. Ipapo vose vakadedera nokuda kwamashoko aMwari waIsraeri vakauya vakaungana pandiri nokuda kwokusatendeka kwavatapwa. Uye ndakagarapo ndakashungurudzika kusvikira nguva yechibayiro chamadekwana. Zvino, panguva yechibayiro chamadekwana, ndakasimuka kubva pakuzvininipisa kwangu, nenguo nejasi rangu zvakabvaruka, uye ndikawira pasi namabvi angu ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu ndikanyengetera, ndichiti: “Haiwa Mwari wangu, ndinonyara uye ndinotsveruka kuti ndisimudze maoko nechiso changu kwamuri, Mwari wangu, nokuti zvivi zvedu zvakakura kupfuura misoro yedu uye mhosva yedu yasvika kumatenga. Kubva pamazuva amadzitateguru edu kusvikira zvino, mhosva yedu yakura kwazvo. Nokuda kwezvivi zvedu, isu namadzimambo edu uye navaprista vedu takaiswa kumunondo nokuutapwa, nokuparadzwa nokuninipiswa paruoko rwamadzimambo avatorwa sezvazviri nhasi. “Asi zvino, kwenguva duku duku, Jehovha Mwari wedu atiitira nyasha nokutisiyira vakasara uye nokutipa nzvimbo yakasimba muimba yake tsvene, naizvozvo Mwari wedu anopa chiedza kumeso edu uye norusununguko ruduku muuranda hwedu. Kunyange zvedu tiri varanda, Mwari wedu haana kutisiya tiri muuranda hwedu. Akatinzwira tsitsi pamberi pamadzimambo ePezhia: Akatipa, upenyu hutsva kuti tivakezve imba yaMwari wedu nokugadzira matongo ayo, uye atipa rusvingo rwokutidzivirira muJudha nomuJerusarema. “Asi zvino, nhai Mwari wedu, tichatiiko mushure meizvi? Nokuti takarasa mirayiro yamakapa kubudikidza navaranda venyu vaprofita pamakati, ‘Nyika yamuri kupinda kuti ive yenyu inyika yakasvibiswa nokuora kwavanhu vayo. Nezvinonyangadza zvavo vakaizadza noutsvina hwavo kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe rutivi. Naizvozvo, musapa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo kana kutora vanasikana vavo kuti vawanikwe navanakomana venyu. Musaita chibvumirano kana ushamwari navo panguva ipi zvayo, kuitira kuti musimbe uye mudye zvinhu zvakanaka zvenyika uye mugoisiyira kuvana venyu senhaka isingaperi.’ “Zvakaitika kwatiri zvakaitika nokuda kwamabasa edu akaipa nemhosva yedu huru, asi kunyange zvakadaro, imi Mwari wedu makatiranga zvishoma kupfuura zvaikodzera zvivi zvedu uye makatipa vakasara vakadai. Tingaputsazve here mirayiro yenyu nokuwanana namarudzi anoita zvinhu zvinonyangadza zvakadai? Hamungatitsamwiri zvakafanira kutiparadza, muchitisiya pasina mupenyu kana angasara here? Imi Jehovha, Mwari waIsraeri, makarurama! Tasara nhasi isu sevakasara. Zvino tiri pano pamberi penyu nemhosva yedu, kunyange pasina kana mumwe chete wedu angamira pamberi penyu nokuda kwechivi ichi.” Ezira paakanga achinyengetera nokureurura, nokuchema achizviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru huru yavarume, vakadzi navana vavaIsraeri yakaungana paari. Naivowo vakachema zvikuru kwazvo. Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wezvizvarwa zvaEramu, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu nokuwana vakadzi vatorwa kubva kundudzi dzakatipoteredza. Asi kunyange zvakadaro, Israeri ichine tariro. Zvino ngatiitei sungano pamberi paMwari wedu kuti tidzinge vakadzi ava vose navana vavo, maererano nezvakarayirwa naishe wangu naavo vanotya mirayiro yaMwari wedu. Ngazviitwe maererano nomurayiro. Simuka; nyaya iyi yava mumaoko ako. Tichamira newe, saka, tsunga mwoyo uzviite.” Saka Ezira akasimuka akaisa pamhiko vaprista vaitungamira navaRevhi uye navaIsraeri vose kuti vaite zvakanga zvarehwa. Uye vakaita mhiko. Ipapo Ezira akabva pamberi peimba yaMwari akaenda kukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi. Paakanga ari ikoko haana kudya zvokudya kana kunwa mvura nokuti akaramba achichema nokuda kwokusatendeka kwavatapwa. Chiziviso chakadanidzirwa muJudha mose nomuJerusarema kuti vatapwa vose vaungane muJerusarema. Ani naani aizokundikana kusvika mumazuva matatu aizotorerwa pfuma yake yose, maererano nokurayira kwamachinda navakuru, uye naiyewo aibva adzingwa kubva paungano yavatapwa. Mukati mamazuva matatu, varume vose veJudha neBenjamini vakanga vaungana muJerusarema. Uye pazuva ramakumi maviri romwedzi wechinomwe, vanhu vose vakagara pachivara pamberi peimba yaMwari, vakasuwa zvikuru nokuda kwechiitiko ichi uye nokuda kwemvura yakanga ichinaya. Ipapo Ezira muprista akasimuka akati kwavari, “Makatadza; makawana vakadzi vatorwa, mukawedzera mhosva yaIsraeri. Zvino reururai kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, uye mugoita kuda kwake. Zvitsaurei kubva kumarudzi avanhu akakupoteredzai uye kubva kuvakadzi venyu vatorwa.” Ungano yose yakapindura nenzwi guru ikati, “Zvamataura ndizvo! Tinofanira kuita sezvamataura. Asi pane vanhu vakawanda pano uye inguva yokunaya kwemvura; saka hatingamire panze. Pamusoro pezvo basa iri harigoni kuitwa nezuva rimwe chete kana mazuva maviri, nokuti takatadza zvikuru nokuda kwechinhu ichi. Machinda edu ngavamiririre ungano yose. Ipapo mumwe nomumwe mumaguta edu akawana mukadzi mutorwa auye panguva dzakatarwa, pamwe chete navakuru navatongi veguta rimwe nerimwe, kusvikira kutsamwa kwaMwari kukuru kwabviswa kwatiri.” Jonatani mwanakomana waAsaeri naJazeya mwanakomana waTikivha, vachitsigirwa naMeshurami naShabhetai muRevhi, ndivo chete vakapikisa izvi. Nokudaro vatapwa vakaita zvakanga zvataurwa. Ezira muprista akasarudza varume vakanga vari vakuru vemhuri, mumwe chete kubva kumhuri yamadzibaba avo, uye vose vachizivikanwa namazita avo. Pazuva rokutanga romwedzi wegumi vakagara pasi vakatanga kutonga nyaya idzi, uye pazuva rokutanga romwedzi wokutanga vakanga vapedza kutonga varume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa. Pakati pezvizvarwa zvavaprista, ava ndivo vakanga vawana vakadzi vatorwa: Kubva kuzvizvarwa zvaJeshua mwanakomana waJozadhaki nehama dzake: Maaseya, Eriezeri, Jaribhu naGedharia. Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondohwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi. Kubva kuzvizvarwa zvaImeri: Hanani naZebhadia. Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Maaseya, Eria, Shemaya, Jehieri naUzia. Kubva kuzvizvarwa zvaPashuri: Erioenai, Maaseya, Ishumaeri, Netaneri, Jozabhadhi naErasa. Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, Shimei, Keraya (ndiye ainzi Kerita), Petahia, Judha naEriezeri. Kubva kuvaimbi: Eriashibhi. Kubva kuvarindi vemikova: Sharumi, Teremi naUri. Uye pakati pavamwe vaIsraeri: Kubva kuzvizvarwa zvaParoshi: Ramia, Izia, Marikija, Miyamini, Ereazari, Marikija naBhenaya. Kubva kuzvizvarwa zvaEramu: Matania, Zekaria, Jehieri, Abhidhi, Jeremoti naEria. Kubva kuzvizvarwa zvaZatu: Erioenai, Eriashibhi, Matania, Jeremoti, Zabhadhi naAziza. Kubva kuzvizvarwa zvaBhebhai: Jehohanani, Hanania, Zabhai naAtirai. Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Meshurami, Maruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari naJeremoti. Kubva kuzvizvarwa zvaPahati Moabhu: Adhima, Kerari, Bhenaya, Maaseya, Matania, Bhezareri, Bhinui naManase. Kubva kuzvizvarwa zvaHarimi: Eriezeri, Ishiya, Marikija, Shemaya, Shimeoni, Benjamini, Maruki naShemaria, Kubva kuzvizvarwa zvaHashumi: Matenai, Matata, Zabhadhi, Erifereti, Jeremai, Manase naShimei. Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Maadhai, Amurami, Ueri, Bhenaya, Bhedheya, Keruhi, Vhania, Meremoti, Eriashibhi, Matania, Matenai naJaasu. Kubva kuzvizvarwa zvaBhinui: Shimei, Sheremia, Natani, Adhaya, Makinadhebhai, Shashai, Sharai, Azareri, Sheremia, Shemaria, Sharumi, Amaria naJosefa. Kubva kuzvizvarwa zvaNebho: Jeyeri, Matitia, Zabhadhi, Zebhina, Jadhai, Joere naBhenaya. Vose ava vakanga vawana vakadzi vatorwa, uye vamwe vavo vakanga vava navana navakadzi ava. Mashoko aNehemia mwanakomana waHakaria: Mumwedzi waKisirevhi mugore ramakumi maviri, pandainge ndiri panhare yeSusa, Hanani, mumwe wehama dzangu, akauya achibva kuJudha navamwe varume, ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakasara avo vakapunyuka pakutapwa, uyewo napamusoro paJerusarema. Vakati kwandiri, “Avo vakapunyuka pakutapwa uye vakadzokera kudunhu vari mudambudziko guru napakunyadziswa. Rusvingo rweJerusarema rwakakoromorwa, uye masuo arwo akapiswa nomoto.” Pandakanzwa zvinhu izvi, ndakagara pasi ndikachema. Ndakaita mazuva ndichichema nokunyengetera uye ndichitsanya pamberi paMwari wokudenga. Ipapo ndakati: “Haiwa Jehovha, Mwari wokudenga, Mwari mukuru uye anotyisa anochengeta sungano yake yorudo naavo vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake, nzeve yenyu ngaiteerere uye meso enyu asvinure kuti munzwe munyengetero womuranda wenyu wandinonyengetera pamberi penyu masikati nousiku nokuda kwavaranda venyu, vanhu veIsraeri. Takaita zvakaipa kwazvo pamberi penyu. Hatina kuteerera zvamakarayira, mitemo yenyu nemirayiro yamakapa Mozisi muranda wenyu. “Rangarirai zvamakarayira muranda wenyu Mozisi, muchiti, ‘Kana musina kutendeka, ndichakuparadzirai pakati pendudzi, asi kana mukadzokera kwandiri uye mukateerera zvandakarayira, ipapo kunyange kana vakatapwa vavanhu venyu vari kumagumo edenga, ndichavaunganidza vabveko ndigovauyisa kunzvimbo yandakasarudza kuti ive ugaro hweZita rangu.’ “Varanda venyu uye vanhu venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru uye noruoko rwenyu rune simba. Haiwa Jehovha, nzeve yenyu ngainzwe munyengetero womuranda wenyu uyu nomunyengetero wavaranda venyu vanofarira kukudza zita renyu. Itai kuti muranda wenyu abudirire, nhasi uye mumupe nyasha pamberi pomurume uyu.” Ndakanga ndiri mudiri wamambo. Mumwedzi waNisani mugore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, panguva yaakavigirwa waini, ndakatora waini ndikapa kuna mambo. Handina kumbenge ndambosuruvara zvakadai pamberi pake. Saka mambo akandibvunza akati, “Ko, chiso chako chinoratidza kusuwa seiko iwe usingarwari? Hapangavi nechimwe chinhu asi shungu dzomwoyo bedzi.” Ndakatya kwazvo, asi ndakati kuna mambo, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Ko, chiso changu chingatadza kupunyaira seiko kana guta rakavigwa madzibaba angu rava dongo uye masuo aro aparadzwa nomoto?” Mambo akati kwandiri, “Chii chauri kuda?” Ipapo ndakanyengetera kuna Mwari wokudenga, ndikapindura mambo ndichiti, “Kana zvichifadza mambo uye kana muranda wenyu awana nyasha pamberi pake, mambo ngaanditumire kuguta riri kuJudha kwakavigwa madzibaba angu kuitira kuti ndinorivakazve.” Ipapo mambo, navahosi vakagara parutivi rwake, akandibvunza akati, “Rwendo rwako runotora mazuva mangani, uye uchadzoka rinhi?” Naizvozvo zvakafadza mambo kuti anditume; saka ndakatara nguva. Ndakatizve kwaari, “Kana mambo achifadzwa nazvo, ndingapiwawo tsamba here dzinoenda kuvabati vari mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti vagondipa mvumo yokupfuura kusvikira ndasvika muJudha? Uye ndinokumbirawo tsamba inoenda kuna Asafu, muchengeti wesango ramambo, kuitira kuti azondipa matanda okuchinjika pamusoro pamasuo enhare iri patemberi uye neorusvingo rweguta neeimba yandichagara?” Mambo akandipa zvandakakumbira, nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wangu rwaiva pamusoro pangu. Saka ndakaenda kuvabati vaiva mhiri kwaYufuratesi akavapa tsamba dzamambo. Zvino mambo akanga atumawo pamwe chete neni vakuru vehondo navatasvi vamabhiza. Sanibharati muHoroni naTobhia muranda wavaAmoni pavakazvinzwa vakashatirwa kwazvo vachiti kwauya mumwe anoda kusimudzira magariro akanaka avaIsraeri. Naizvozvo ndakaenda kuJerusarema ndikagarako kwamazuva matatu. Ndakamuka usiku navarume vashoma shoma. Ndakanga ndisina kumboudza munhu zvakanga zvaiswa mumwoyo mangu naMwari wangu kuti ndiite muJerusarema. Pakanga pasina chimwe chipfuwo kunze kwechandakanga ndakatasva. Ndakabuda usiku ndikapinda napaSuo roMupata ndakananga nokuTsime reShato nokuSuo raMarara, ndichiongorora masvingo eJerusarema, akanga akoromorwa, uye masuo awo, akanga aparadzwa nomoto. Ipapo ndakapfuurira mberi ndakananga kuSuo reTsime nokuDziva raMambo, asi pakanga pasina nzvimbo yokupinda nechipfuwo changu; saka ndakakwira nokumupata nousiku, ndichiongorora rusvingo. Pakupedzisira, ndakadzoka ndikapindazve napakati peSuo roMupata. Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda kana zvandakanga ndichiita, nokuti ndakanga ndisati ndambotaura chinhu kuvaJudha kana kuvaprista kana vakuru kana vabati, kana vamwevo zvavo vaizoita basa. Ipapo ndakati kwavari, “Muri kuona dambudziko ratinaro here: Jerusarema rava dongo, uye masuo aro akapiswa nomoto. Uyai, ngativakeizve rusvingo rweJerusarema, kuti tisazonyadziswazve. Ndakavaudza pamusoro poruoko rwenyasha rwaMwari wangu rwaiva pamusoro pangu uye zvakanga zvataurwa namambo kwandiri. Ivo vakati, “Ngatitangei kuvaka.” Saka vakatanga basa rakanaka iri. Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda wavaAmoni naGeshemu muArabhia vakati vazvinzwa, vakatiseka uye vakatizvidza. Vakatibvunza vachiti, “Chiiko ichi chamuri kuita? Muri kumukira mambo kanhi?” Ndakavapindura ndikati, “Mwari wokudenga achaita kuti tibudirire. Isu varanda vake tichatanga kuvaka asi kana murimi, hamuna mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusarema.” Zvino Eriashibhi muprista mukuru navamwe vaprista vakaenda kundoshanda uye akavakazve Suo raMakwai. Vakarikumikidza akaisa makonhi panzvimbo yawo, vakarivaka kunosvika paShongwe yeZana, iyo yavakakumikidza, kusvikira paShongwe yaHananeri. Varume veJeriko vakavaka chikamu chaiva pedyo, uye Zakuri mwanakomana waImuri akavaka parutivi rwavo. Suo reHove rakavakwa navanakomana veHasenaya. Vakaisa matanda okuchinjika akaisa makonhi aro namabhaudhi uye namazariro panzvimbo yawo. Meromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi akagadzira chikamu chaitevera. Aimutevera pakugadzira aiva Meshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshebhezeri, uye aitevera mushure make ari Zadhoki mwanakomana waBhaana, akagadzirawo. Chikamu chaitevera chakagadzirwa navarume veTekoa, asi vakuru vavo vakangopeta maoko avo vakasashandira Ishe wavo. Suo raJeshana rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea naMeshurami mwanakomana waBhesodheya. Vakaisa matanda aro okuchinjika ndokuisa makonhi namabhaudhi namazariro panzvimbo yawo. Zvakatevera pakugadzirwa zvakaitwa navarume vaibva kuGibheoni neMizipa, naMeratia weGibheoni uye naJadhoni wokuMeronoti, nzvimbo dzaiva pasi pomubati wemhiri kweYufuratesi. Uzieri mwanakomana waHaraya, mumwe wavapfuri vegoridhe, akagadzira chikamu chaitevera; uye Hanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuwira, akagadzira chikamu chaitevera ichocho. Vakavandudza Jerusarema kudzimarara vasvika parusvingo rwakapamhamha. Refaya mwanakomana waHuri, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera. Pakabatana navo Jedhaya mwanakomana waHarumafi akagadzira chikamu chakatarisana neimba yake, uye Hatushi mwanakomana waHashabheneya akagadzira chikamu chaitevera. Marikija mwanakomana waHarimu naHashubhi mwanakomana waPahatiMoabhu vakagadzira chimwe chikamu uye neShongwe yeMahovhoni. Sharumi mwanakomana waHaroheshi, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera achibatsirwa navanasikana vake. Suo roMupata rakagadzirwa naHanuni navagari veZanoa. Vakarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudi nemazariro esimbi panzvimbo yawo. Vakagadzirawo makubhiti chiuru chimwea orusvingo kudzamara vasvika paSuo raMarara. Marikija mwanakomana waRekabhu, mutongi wedunhu reBheti Hakeremu akagadzira Suo reMarara. Akarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudi namazariro panzvimbo yazvo. Suo reTsime rakagadzirwa naSharuni mwanakomana waKori-Hoze, mutongi wedunhu reMizipa. Akarivaka patsva ndokuisa denga namakonhi aro namabhaudi uye akaisa nemazariro panzvimbo yawo. Akagadzirazve rusvingo rweDziva reSiroami, paBindu raMambo kusvikira pamatanho anoburukira kuGuta raDhavhidhi. Akamutevera ndiNehemia mwanakomana waAzubhuki mutongi wehafu yedunhu raBheti Zuri, akagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana nemakuva aDhavhidhi kusvikira padziva nokuImba yeMhare. VaRevhi vaiva pasi paRehumi mwanakomana waBhani vakamutevera pakugadzira. Parutivi rwake, Hashabhia, mutongi wehafu yedunhu reKeira, akaita mabasa okugadzira panzvimbo yedunhu rake. Vaimutevera pakugadzira, vanhu venyika yavo vaiva pasi paBhinui mwanakomana waHenadhadhi, mutongi weimwe hafu yeKeira. Aimutevera ndiEzeri mwanakomana waJeshua, mutongi weMizipa, akagadzira chimwe chikamu kubva pamukwidza wakatarisana neimba yezvombo zvehondo kusvikira pakona. Bharuki mwanakomana waZabhai akamutevera, akagadzira chimwe chikamu nomwoyo wose kubva pakona zvichienda pamusuo weimba yaEriashibhi muprista mukuru. Aimutevera, ndiMeromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi, akagadzira chimwe chikamu, kubva pamusuo weimba yaErishibhi kusvikira painoguma. Zvakagadzirwa mumashure make zvakaitwa navaprista vaibva mudunhu rakapoteredza. Mumashure mavo, Bhenjamini naHashubhi vakazogadzira mberi kweimba yavo; uye aivatevera, Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akagadzira parutivi rweimba yake. Aimutevera, Bhinui mwanakomana waHanadhadhi akagadzira chimwe chikamu, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona nokune imwezve kona, uye Parari mwanakomana waUzia akashanda pakatarisana nepakona uye napashongwe inobuda ichibva kumuzinda wokumusoro pedyo noruvazhe rwavarindi. Aimutevera, Pedhaya mwanakomana waParoshi navashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi vakagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana neSuo reMvura kwakananga kumabvazuva uye napanobudikira neshongwe. Vaivatevera, varume veTekoa vakagadzira chimwe chikamu, kubva panobuda shongwe huru kusvikira kurusvingo rweOferi. Vaprista vakagadzira pamusoro peSuo raMabhiza, mumwe nomumwe pamberi peimba yake. Aivatevera, aiva Zadhoki mwanakomana waImeri akagadzira pakatarisana neimba yake. Aimutevera ndiShemaya mwanakomana waShekania, murindi wokuSuo rokuMabvazuva, ane zvaakagadzira. Vaimutevera, Hanania mwanakomana waSheremia naHanuni, mwanakomana wechitanhatu waZarafu, ndivo vakagadzira chimwe chikamu. Aimutevera, Meshuramu mwanakomana waBherekia akagadzira pakatarisana nepaaigara. Mumashure make Marikia, mumwe wavapfuri vegoridhe, vakagadzira kusvikira kuimba yavashandi vetemberi navatengesi, pakatarisana neSuo Rokuongorora, uye kusvikira paimba iri pamusoro pekona; uye pakati peimba iri pamusoro pekona neSuo raMakwai, vapfuri vegoridhe navatengesi ndivo vakapagadzira. Zvino Sanibharati paakanzwa kuti takanga tava kuvakazve rusvingo, akatsamwa uye akava nehasha kwazvo. Akashora vaJudha, pamberi pehama dzake nehondo yeSamaria, achiti, “Ko, vaJudha avo vasina simba vari kuiteiko? Ko, vachavakazve rusvingo rwavo here? Vachapa zvibayiro here? Vachapedza nezuva rimwe chete here? Ko, vangadzorera upenyu pamatombo ayo akaunganidzwa, akatsva sezvaakaita izvi here?” Tobhia muAmoni, aiva parutivi rwake, akati, “Zvavari kuvaka izvi, kana dai gava raikwira pamusoro pacho, raitokoromora rusvingo rwavo rwamatombo!” Haiwa, Mwari wedu, tinzwei, nokuti tiri kuzvidzwa. Dzorerai kutuka kwavo pamusoro pavo. Ngavave sevakapambwa munyika yenhapwa. Musafukidza kuipa kwavo kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu, nokuti vakakusha mashoko okutuka pamberi pavavaki. Saka takavakazve rusvingo kudzamara rwose rwasvika pahafu yokukwirira kwarwo, nokuti vanhu vaishanda nemwoyo yavo yose. Asi Sanibharati, Tobhia, navaArabhia, navaAmoni navarume veAshidhodhi, vakati vanzwa kuti masvingo eJerusarema ari kugadzirwa, uye kuti makazaruka maivharwa, vakatsamwa kwazvo. Vakarangana vose pamwe chete kuti vazorwa neJerusarema uye kuti varimutsire mhirizhonga. Asi takanyengetera kuna Mwari wedu tikaisawo murindi masikati nousiku kuti adzivirire kutyisidzira uku. Zvichakadaro, vanhu vokwaJudha vakati, “Simba ravabati riri kupera, uye pachine mangwandangwanda akawanda zvokuti hatingakwanisi kuvakazve rusvingo.” Uyezve vavengi vedu vakati, “Vasati vazviziva kana kutiona, tichatenge tavapo pakati pavo uye tichavauraya tigoparadza basa ravo.” Ipapo vaJudha vakanga vagere pedyo navo vakauya vakatitaurira rune gumi vachiti, “Kupi nokupi kwamuchaenda, vachauya kuzotirwisa.” Naizvozvo ndakaisa vamwe vanhu seri kwenzvimbo dzakaderera dzorusvingo napanzvimbo dzakashama, ndichivaisa nemhuri dzavo, vane minondo yavo, namapfumo uye neuta. Mushure mokunge ndatarisisa zvinhu izvi, ndakasimuka ndikati kuvakuru, navabati nokuruzhinji rwavanhu, “Musavatya. Rangarirai Jehovha, iye mukuru, anotyisa, uye murwire hama dzenyu, vanakomana venyu, navanasikana venyu, vakadzi venyu nemisha yenyu.” Vavengi vedu pavakanzwa kuti takanga taziva rangano yavo uye kuti Mwari akanga aikonesa, tose takadzokera kurusvingo, mumwe nomumwe pabasa rake. Kubva pazuva iro, zvichienda mberi hafu yavanhu vangu vakashanda basa, asi imwe hafu vakanga vakapakata mapfumo, nhoo, uta uye nenhumbi dzokurwa nadzo. Vabati vakamira mumashure mavanhu vose vokwaJudha, vaivaka rusvingo. Avo vaitakura zvokuvakisa vakaita basa ravo noruoko rumwe uye norumwe ruoko vakabata chombo chokurwisa, uye muvaki mumwe nomumwe akanga akapfeka munondo wake parutivi, uku achishanda. Asi munhu airidza hwamanda aiva neni. Ipapo ndakati kuvakuru, navabati noruzhinji rwavanhu, “Basa iguru iri uye rapararira, uye isu tanyanya kuparadzana mumwe kubva kuno mumwe takatevedza rusvingo. Pose pamuchanzwa kurira kwehwamanda, muuye tibatane ikoko. Mwari wedu achatirwira.” Saka takafambira mberi nebasa, hafu yavarume yakabata mapfumo, kubva mambakwedza kusvikira nyeredzi dzichibuda. Panguva iyo ndakati kuvanhu, “Murume mumwe nomumwe nomubatsiri wake ngaagare mukati meJerusarema panguva dzousiku, kuitira kuti vatibatsire kushanda savarindi usiku uyezvo savashandi masikati.” Zvino ini nehama dzangu kana vanhu vangu kana varindi vaiva neni hatina kubvisa nguo dzedu; mumwe nomumwe aiva nomunondo wake, kunyange paaienda kundonwa mvura. Zvino kwakava nokuchema kukuru kwavarume navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha. Nokuti vamwe vakati, “Isu navanakomana navanasikana vedu tiri vazhinji; kuti tidye uye kuti tigorarama, tinofanira kuwana zviyo.” Vamwe vaiti, “Isu takaita minda yedu neminda yedu yemizambiringa uye nemisha yedu kuti zvive rubatso kuti tiwane zviyo panguva yenzara.” Vamwezve vakati, “Takatozokwereta mari kuti tiripe mutero wamambo weminda yedu neminda yemizambiringa. Kunyange tiri venyama imwe uye veropa savanhu venyika yedu uye kunyange vanakomana vedu vakangofanana nevavo, takaguma taisa vanakomana vedu navanasikana vedu kuutapwa. Vamwe vavanasikana vedu vakatotapwa kare, asi isu hatina simba, nokuti minda yedu neminda yemizambiringa yava yavamwe.” Pandakanzwa kuchema kwavo kukuru nezvairehwa izvi, ndakatsamwa kwazvo. Zvino ndakazvirangarira mupfungwa dzangu ipapo ndikatsiura vakuru navabati ndikati kwavari, “Imi muri kureva mhindu kuvanhu venyika yenyu!” Saka ndakavakoka kumusangano mukuru kuti ndivarayire uye ndikati, “Napataigona napo takadzikinura hama dzedu dzechiJudha avo vakanga vatengeswa kuvahedheni. Zvino imi mava kutengesa hama dzenyu, kuti dzigotengeswazve kwatiri here?” Vakanyarara nokuti vakashayiwa chokutaura. Saka ndakaenderera mberi ndikati, “Zvamunoita hazvina kunaka. Ko, hamaifanira kufamba mukutya Mwari wedu here kuti vavengi vedu vechihedheni varege kutishora. Ini nehama dzangu uye navaranda vangu tiri kukweretesa vanhu mari nezviyo. Asi izvo zvokureva mhindu ngazvigume! Vadzorerei minda yavo nokukurumidza, neminda yavo yemizambiringa, neyemiorivhi, nedzimba dzavo uyewo nemhindu yamunoripisa, chikamu chimwe chete muzana chemari, zviyo, newaini itsva uye namafuta.” Ivo vakati, “Tichavadzorera. Uye hatichazorevi chimwe chinhuzve kubva kwavari. Tichaita sezvamareva.” Ipapo ndakadana vaprista ndikaita kuti vakuru navabati vaite mhiko kuti vagoita sezvavakanga vavimbisa. Ndakazunzawo mikombero yenguo yangu ndikati, “Mwari ngaazunze saizvozvi kubva muimba yake nemidziyo yake, mumwe nomumwe asingachengeti vimbiso iyi. Naizvozvo, munhu akadai ngaazunzwe asara asina chinhu.” Ipapo ungano yose yakati, “Ameni,” uye vakarumbidza Jehovha. Uye vanhu vakaita sezvavakanga vavimbisa. Pamusoro pezvo, kubva pagore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, pandakagadzwa somubati wavo munyika yaJudha, kusvikira pagore rake ramakore makumi matatu namaviri, makore gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvaipiwa kumubati. Asi vabati vokutanga, avo vakanditangira, vairemedza vanhu uye vaitora kubva kwavari mashekeri makumi manaa esirivha, pamusoro pezvo vachitorazve zvokudya newaini. Kunyange vabatsiri vavo vairemedzawo vanhu. Asi ini handina kuita izvozvo nokuti ndaitya Mwari. Panzvimbo yaizvozvo, ndakazvipira kuita basa iri rorusvingo. Varanda vangu vose vakanga vakaungana pabasa ipapo; hatina kutombotora minda ipi zvayo. Pamusoro paizvozvo, vaJudha zana namakumi mashanu navabati, pamwe chete navaHeti vaibva kumarudzi akatikomberedza, vaidya patafura yangu. Zuva rimwe nerimwe ndaigadzirirwa nzombe imwe, makwai akaisvonaka matanhatu nehuku, uye pagumi roga ramazuva ndaipiwa waini zhinji dzemhando dzose. Kunyange zvakadaro hazvo, handina kumbokumbira zvokudya zvomubati, nokuti mitoro yakanga yakatakudzwa vanhu ava yairema kwazvo. Haiwa Mwari wangu, ndirangarirei henyu nenyasha, nokuda kwezvose zvandakaitira vanhu ava. Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhia uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo, Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vakati, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.” Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa. Saka ndakatuma nhume kwavari nemhinduro ndichiti, “Ndine basa guru kwazvo randiri kuita, saka handigoni kuburukira kwamuri ikoko. Basa ringamirireiko ini ndichirisiya ndichimbouya kwamuri?” Vakatuma shoko rimwe chetero kwandiri runa rwose, asi ndakavapindura zvimwe chetezvo nguva dzose. Zvino, Sanibharati akatumazve muranda wake kwandiri kechishanu, neshoko rimwe chetero netsamba mumaoko ake yakanga isina kunamwa. Yakanga yakanyorwa zvinoti: “Pakati pamarudzi zvinotaurwa kuti, uye Geshemu anotiwo ichokwadi, iwe navaJudha muri kurangana kumukira mambo, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Pamusoro pezvo, iwe wava kuda kuva mambo wavo sokutaurwa kwazvo. Uye wakatogadza vaprofita kuti vataure pamusoro pako muJerusarema vachiti: ‘MuJudha mava namambo!’ Zvino nyaya iyi ichasvika kuna mambo, saka uya titaurirane.” Ndakatumira mhinduro kwaari ndikati, “Hapana chinhu chakaita sechauri kutaura chiri kuitika; ndiwe uri kungozvifunga mumusoro mako.” Vose vaingoedza kutivhundutsira vachiti mumwoyo yavo, “Maoko avo achaneta nebasa, uye harizoperi.” Asi ndakanyengetera ndikati, “Simbisai maoko angu zvino.” Rimwe zuva ndakenda kumba kwaShemaya mwanakomana wavaDheraya, mwanakomana waMehetabheri, uyo akanga azvipfigira mumba make, iye akati, “Ngatisangane mumba yaMwari mukati metemberi uye tigopfiga mikova yetemberi, nokuti kuna varume vari kuuya kuzokuuraya, panguva dzousiku vari kuuya kuzokuuraya.” Asi ini ndakati kwaari, “Murume akaita seni angatiza here? Uye munhu akaita seni angatizira mutemberi kuti aponese upenyu hwake here? Handidi kuenda ini!” Ndakaona kuti Mwari akanga asina kumutuma asi kuti aiprofita zvakaipa pamusoro pangu nokuti akanga atengwa naTobhia naSanibharati. Akanga atengwa kuti azondivhundutsira kuitira kuti ndiite chivi nokuita izvi, uye ipapo vagondipa zita rakaipa kuti vandisvibise. Haiwa Mwari wangu, rangarirai henyu Tobhia naSanibharati, nokuda kwezvavaita; rangariraiwo muprofitakadzi Noadhia uye noruzhinji rwavaprofita avo vanga vachiedza kundivhundutsa. Naizvozvo rusvingo rwakapera nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi waEruri, mumazuva makumi mashanu namaviri. Vavengi vedu vose vakati vanzwa izvi, marudzi ose akatipoteredza akatya uye vakaora mwoyo, nokuti vakaona kuti basa iri rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu. Uyezve, mumazuva iwayo vakuru veJudha vaitumira matsamba akawanda kuna Tobhia, uye mhinduro dzaibva kuna Tobhia dzairamba dzichiuya kwavari. Nokuti vazhinji muJudha vakanga vaita mhiko pasi pake, sezvo akanga ari mukuwasha kuna Shekania mwanakomana waAra, uye mwanakomana wake Jehohanani akanga akawana mwanasikana waMeshurami mwanakomana waBherekia. Pamusoro paizvozvo, vairamba vachingondiudza mabasa ake akanaka uye ivo vachizomuudzawo zvandinenge ndataura. Uye Tobhia akatumira matsamba okundivhundutsira. Mushure mokunge rusvingo rwavakwa uye ndaisa makonhi panzvimbo dzawo, varindi vemikova, vaimbi navaRevhi vakagadzwa. Ndakagadza Hanani hama yangu kuti ave mutariri weJerusarema naHanania kuti ave mukuru wepanhare, nokuti aiva munhu anokudzwa uye aitya Mwari kupinda zvingaitwa noruzhinji rwavanhu. Ndakati kwavari, “Masuo eJerusarema asazarurwa kusvikira zuva rava kupisa. Panguva iyo vachengeti vamasuwo vanenge vachiri pabasa, vaitei kuti vapfige makonhi vaise mazariro. Uyezve mugadze vagari vomuJerusarema savarindi; vamwe panzvimbo dzavo dzokurinda, vamwe pedyo nedzimba dzavo.” Zvino guta rakanga rakakura uye rakapamhamha asi maingova navanhu vashoma mariri, uye dzimba dzakanga dzisati dzavakwazve. Saka Mwari akaisa mumwoyo mangu kuti ndiunganidze vakuru navabati uye navamwe vanhu vose kuti vanyoreswe nemhuri dzavo. Ndakawana zvinyorwa zvemhuri dzaavo vakava vokutanga kudzokera. Izvi ndizvo zvandakawana zvakanyorwamo: Ava ndivo vanhu vedunhu vakabudiswa pautapwa vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake, vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Azaria, naRaamia, Nahamani, Modekhai, Bhirishani, Misipereti, Bhigivhai, Nehumi naBhaana): Mazita avarume veIsraeri: Zvizvarwa zvaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri; zvaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri; zvaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri; zvaPahati-Moabhu (kubudikidza nokuna Jeshua naJoabhu), zviuru zviviri, namazana masere ane gumi navasere; zvaEramu, chiuru chimwe, china mazana maviri namakumi mashanu navana; zvaZahu, mazana masere namakumi mana navashanu; zvaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu; zvaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere; zvaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navasere; zvaAzigadhi, zviuru zviviri mazana matatu namakumi maviri navaviri; zvaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe; zvaBhigivhai, zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe; zvaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu; zvaAteri (kubudikidza naHezekia), makumi mapfumbamwe navasere; zvaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere; zvaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana; zvaHarifi, zana negumi navaviri; zvaGibheoni, makumi mapfumbamwe navashanu. Varume veBheterehema neNetofa, zana namakumi masere navasere; vokuAnatoti, zana namakumi maviri navasere; vokuBheti Azimaveti, makumi mana navaviri; vokuKiriati Jearimu, Kefira neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu; vokuRama neGebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete; vokuMikimashi, zana namakumi maviri navaviri; vokuBheteri neAi, zana namakumi maviri navatatu; vokune rimwe Nebho; makumi mashanu navaviri; vokune rimwe Eramu, chiuru mazana maviri namakumi mashanu navana; vokuHarimu, mazana matatu ana makumi maviri; vokuJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu; vokuRodhi, Hadhidhi neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe chete; vokuSenaa, zviuru zvitatu mazana mapfumbamwe namakumi matatu; vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (kubudikidza nokumhuri yaJeshua), mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu; zvaImeri, chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri; zvaPashuri, chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana; zvaHarimu, chiuru chimwe chine gumi navanomwe. VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua (kubudikidza naKadhimieri nokumhuri yaHodhavhia), vaiva makumi manomwe navana. Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi, zana namakumi mana navasere. Varindi vamasuwo: zvizvarwa zvaSherumi, Ateri, Tarimoni, Akubhi, Hatita, naShobhai, zana namakumi matatu navasere. Vashandi vomutemberi: zvizvarwa zvaZiha, Hasufa, Tabhoati, Kerosi, Sia, Padhoni, Rebhana, Hagabha, Sharimai, Hanani, Gidheri, Gehari, Reaya, Rezini, Nekodha, Gazamu, Uza, Pesea, Bhesai, Meunimi, Nefusimu, Bhakuki, Hakufa, Harihuri, Bhazuruti, Mehidha, Harisha, Bharikosi, Sisera, Tema, Nezia, naHatifa. Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zva: Sotai, Sofereti, Peridha, Jaara, Dharikoni, Gidheri, Shefatia, Hatiri, Pokereti-Hazebhaimu naAmoni. Vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni, mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri. Ava vanotevera vaibva kumaguta okuTeri Mera, Teri Harisha Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza kuti zvizvarwa zvavo zvaibva mumhuri yaIsraeri: zvizvarwa zvaDheraya, Tobhia naNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri. Uye vaibva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhoa, Hakozi naBharizirai (murume akanga awana mwanasikana waBharizirai muGireadhi uye aidaidzwa nezita iroro). Ava vakatsvaka zvinyorwa zvemhuri dzavo, asi vakazvishaya nokudaro vakabviswa kubva kuvaprista, savasina kuchena. Naizvozvo mubati akavarayira kuti vasadya zvokudya zvipi zvazvo zvakanatswa kusvikira kwava nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi. Ungano yose yaiva navanhu zviuru makumi mana navaviri ane mazana matatu namakumi matanhatu, pasina varanda vavo navarandakadzi vavo vaisvika zviuru zvinomwe namazana matatu ana makumi matatu navanomwe; uye vaivazve navarume navakadzi vaiva vaimbi vaisvika mazana maviri namakumi mana navashanu. Paiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu amabhiza, uye mbongoro mazana maviri namakumi mana neshanu, mazana mana namakumi matatu namashanu engamera uye zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri zvembongoro. Vamwe vakuru vemhuri vakabatsira pabasa. Mubati akaisa madhirakema egoridhe chiurua muchivigiro chepfuma nemidziyo makumi mashanu nenhumbi dzavaprista mazana mashanu namakumi matatu. Vamwe vakuru vemhuri vakaisa muchivigiro chepfuma zviuru makumi maviri zvamadhirakemab egoridhe kuitira basa, mamina esirivha zviuru zviviri namazana maviric. Uwandu hwezvakapiwa navanhu vose vose hwaiva zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe, nezviuru zviviri zvamaminad esirivha, uye nenhumbi dzavaprista dzinosvika makumi matanhatu nenomwe. Vaprista, vaRevhi, varindi vemikova, vaimbi navabati vomutemberi, pamwe chete navamwe pakati poruzhinji rwavaIsraeri, vakandogara mumaguta avo. Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vaIsraeri vagara mumaguta avo, vanhu vose vakaungana vakaita somunhu mumwe pachivara chakatarisana neSuo reMvura. Vakakumbira Ezira munyori kuti auye neBhuku roMurayiro waMozisi, wakanga warayirwa naJehovha kuvaIsraeri. Naizvozvo pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, Ezira muprista akauya noMurayiro pamberi peungano, yaiva yavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. Akauverenga nenzwi guru kubva mangwanani kusvikira masikati, akatarisa chivara chaiva pamberi peSuo reMvura, pamberi pavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. Uye vanhu vose vakateerera zvikuru kuBhuku roMurayiro. Ezira munyori akamira panzvimbo yakakwirira yakanga yavakwa namatanda, yavakirwa izvozvo. Kurutivi rwake rworudyi kwaiva kwakamira Matitia, Shema, Anania, Uria, Hirikia naMaaseya; uye kuruboshwe rwake kwaiva naPedhaya, Mishaeri, Mirikia, Hashumi, Hashibhadhana, Zekana naMeshurami. Ezira akazarura bhuku. Vanhu vose vaigona kumuona nokuti akanga akamira pakakwirira; uye paakarizarura, vanhu vose vakasimuka. Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi akanamata Jehovha uso hwavo hwakatsikitsira pasi. VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhani, Sherebhia, Jamini, Akubhi, Shabhetai, Hodhia, Maaseya, Kerita, Azaria, Jozabhadhi, Hanani naPeraya vakadzidzisa vanhu Murayiro vanhu vamire ipapo. Vakaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari, vachiisa pachena nokutsanangura zvazvaireva kuitira kuti vanhu vanzwisise zvaiverengwa. Ipapo Nehemia mubati, Ezira, muprista nomunyori, navaRevhi vairayira vanhu vakati kwavari vose, “Zuva iri idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musachema kana kuungudza.” Nokuti vanhu vose vainge vachichema pavaiteerera kumashoko omurayiro. Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.” VaRevhi vakanyaradza vanhu vose vakati, “Nyararai, nokuti iri izuva dzvene. Musazvidya mwoyo.” Ipapo vanhu vose vakabva vaenda kundodya nokunwa, nokutumira migove yezvokudya vachipembera nomufaro mukuru, nokuti vakanga vanzwisisa zvino mashoko avakanga vaudzwa. Pazuva rechipiri romwedzi, vakuru vemhuri, pamwe chete navaprista navaRevhi, vakaungana vakakomberedza Ezira munyori kuti vateerere kumashoko oMurayiro. Vakawana zvakanga zvakanyorwa muMurayiro, zvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, zvokuti vaIsraeri vaizogara mumatumba panguva dzomutambo womwedzi wechinomwe. Uye kuti vaifanira kuparidza shoko iri nokuriparadzira mumaguta avo ose nomuJerusarema vachiti: Endai munyika yezvikomo muuye namapazi omuorivhi nemiti yemiorivhi yomusango, neomukonachando, nemichindwe nemiti yemimvuri, kuti muite matumba sezvazvakanyorwa.” Naizvozvo vanhu vakabuda vakanouya namapazi vakazvivakira matumba pamusoro pamatenga avo, nomuminhanga yavo, nomumavazhe eimba yaMwari uye napachivara paSuo reMvura uye napaSuo raEfuremu. Ungano yose yakanga yadzoka kuutapwa yakavaka matumba ikagaramo. Kubva pamazuva aJoshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iroro, vaIsraeri havana kumbopemberera saizvozvi. Uye mufaro wavo waiva mukuru kwazvo. Zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pane rokupedzisira, Ezira akaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari. Vakapemberera mutambo kwamazuva manomwe, uye pazuva rorusere, maererano nezvakanga zvarayirwa, pakava neungano ipapo. Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi iwoyo, vaIsraeri vakaungana pamwe chete, vachizvinyima zvokudya vakapfeka masaga uye vaine guruva pamisoro yavo. Avo vaiva zvizvarwa zvavaIsraeri vakazvitsaura kubva pakati pavatorwa vose. Vakamira panzvimbo dzavo vakareurura zvivi zvavo nezvitadzo zvavo. Vakamira pavakanga vari ndokuverenga kubva muBhuku roMurayiro waJehovha Mwari wavo kwechikamu chimwe chete muzvina chezuva, ndokupedzazve chimwe chikamu chimwe chete muzvina chezuva, vachireurura nokunamata Jehovha Mwari wavo. VaRevhi vaiti, Jeshua, Bhani, naKadhimieri, naShebhania, naBhuni, naSherebhia naBhani uye Kenani, vakamira pakakwirira vakadana nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo. Ipapo vaRevhi vaiti: Jeshua, Kadhimieri, Bhani, Hashabhineya, Sherebhia, Hodhia, Shebhania naPetahia vakati, “Simukai murumbidze Jehovha Mwari wenyu, anogara nokusingaperi-peri.” “Zita renyu rinobwinya ngariropafadzwe pamusoro pamakomborero nerumbidzo dzose. Imi moga ndimi Jehovha. Makaita moga matenga, kunyange nokudenga denga, uye nenyeredzi zhinji dzose, nyika nezvose zviri pamusoro payo, makungwa nezvose zviri mairi. Munopa upenyu kuzvinhu zvose, uye zvose zvokudenga zvinokunamatai. “Ndimi Jehovha Mwari, makasarudza Abhurahama mukamubudisa munyika yeUri yavaKaradhea mukamutumidza kuti Abhurahama. Makawana mwoyo wake wakatendeka kwamuri, uye makaita sungano naye kuti mupe kuzvizvarwa zvake nyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaJebhusi navaGirigashi. Makachengeta vimbiso yenyu nokuti makarurama. “Makaona kutambudzika kwamadzitateguru edu muIjipiti; mukanzwa kuchema kwavo pagungwa dzvuku. Makatuma zviratidzo nezvishamiso kuna Faro, navabati vake uye navanhu vose venyika yake, nokuti maiziva kuti vaIjipita vaizvikudza sei pamabatiro avakavaita. Makaitira zita renyu mukurumbira uripo nanhasi. Makapamura gungwa pamberi pavo, naizvozvo vakayambuka napasi pakaoma, asi makamedza vaivatevera kwakadzika, sedombo mumvura ine simba. Makavatungamirira neshongwe yegore masikati mukavatungamirira usiku neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe munzira yavaizofamba nayo. “Makaburuka paGomo reSinai, mukataura navo kubva kudenga. Makavapa mitemo nemirayiro yakarurama neyakanaka, uye mitemo nezvakarayirwa zvakanaka. Makavazivisa Sabata renyu dzvene mukavapa zvamakarayira, mitemo nemirayiro kubudikidza nomuranda wenyu Mozisi. Vari pakati penzara makavapa chingwa chaibva kudenga, uye pavakafa nenyota makavapa mvura yakabva padombo; makavaudza kuti vapinde kundotora nyika yamakanga mapika noruoko rwakasimudzwa kuti muvape. “Asi ivo madzitateguru edu, vakava namanyawi uye nemitsipa mikukutu, vakasateerera zvamakavarayira. Vakaramba kuteerera uye vakasarangarira zvishamiso zvamakaita pakati pavo. Vakava nemitsipa mikukutu uye pakumukira kwavo vakagadza mutungamiri kuti vadzokere kuutapwa hwavo. Asi imi muri Mwari anokanganwira, ane nyasha nengoni, anononoka kutsamwa uye azere norudo. Naizvozvo hamuna kuvasiya, kunyange zvavo vakazviitira chifananidzo chemhuru vachiti, ‘Uyu ndiye mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti, kana pavakamhura zvinonyangadza kwazvo. “Nokuda kwengoni dzenyu huru hamuna kuvasiya mugwenga. Shongwe yegore haina kurega kuvatungamirira masikati panzira yavo, shongwe yomoto haina kurega kuvavhenekera usiku panzira yavaifanira kufamba nayo. Makavapa Mweya wenyu wakanaka kuti uvarayire. Hamuna kuvanyima mana yenyu, uye panyota yavo makavapa mvura. Makavararamisa kwamakore makumi mana mugwenga; havana chavakashayiwa, nguo dzavo hadzina kubvaruka uye makumbo avo haana kuzvimba. “Makavapa ushe namarudzi, mukavapa nyika yose kusvika kumagumo ayo. Vakatora nyika yaSihoni mambo weHeshibhoni nenyika yaOgi mambo weBhashani. Makaita kuti vana vavo vawande senyeredzi dziri mudenga, mukavauyisa kunyika yamakaudza madzibaba avo kuti vapinde vaitore. Vanakomana vavo vakapinda vakatora nyika. Makakunda vaKenani pamberi pavo, vaigara munyika iyo; mukapa vaKenani kwavari, pamwe chete namadzimambo avo uye navanhu vomunyika, kuti vaite zvavanoda navo. Vakapamba maguta akakombwa nenyika ine ivhu rakanaka, vakatora dzimba dzakanga dzakazara nemhando dzose dzezvinhu zvakanaka, matsime akacherwa kare, minda yemizambiringa, minda yemiorivhi nemiti yemichero yakawanda. Vakadya vakaguta vakava vakagwinya kwazvo; vakafara muukuru hwokunaka kwenyu. “Asi havana kuteerera uye vakakumukirai; vakafuratira murayiro wenyu. Vakauraya vaprofita venyu, vaivarayira kuti vadzokere kwamuri; vakamhura zvainyadza kwazvo. Naizvozvo makavaisa kuvavengi vavo, avo vakavadzvinyirira. Asi pavakanga vava kudzvinyirirwa vakachema kwamuri. Makavanzwa muri kudenga, uye nengoni dzenyu huru makavapa vadzikinuri, vakavarwira kubva mumaoko avavengi vavo. “Asi pavakangowana zororo, vakaitazve zvakaipa pamberi penyu. Ipapo makavasiya mumaoko avavengi vavo kuti vave nesimba pamusoro pavo. Zvino vakati vachemazve kwamuri, makavanzwa muri kudenga, nengoni dzenyu mukavarwira nguva nenguva. “Makavayambira kuti vadzokere kumurayiro wenyu, asi ivo vakazvikudza vakasateerera kurayira kwenyu. Vakatadza pane zvamakatonga, izvo zvinoraramisa munhu kana akazviteerera. Nokusindimara kwavo vakakufuratirai, vakaomesa mitsipa yavo uye vakaramba kuteerera. Makava nomwoyo murefu navo kwamakore mazhinji. Makavayambira noMweya wenyu kubudikidza navaprofita venyu. Kunyange zvakadaro havana kuita hanya, saka makavapa kuvanhu vavakavakidzana navo. Asi netsitsi dzenyu huru hamuna kuvaparadza kana kuvarasa, nokuti muri Mwari ane nyasha netsitsi. “Naizvozvo zvino, Mwari wedu, mukuru, ane simba, uye Mwari anotyisa, anochengeta sungano yake yorudo, matambudziko aya ose ngaarege kuva madiki pamberi penyu, matambudziko akauya pamusoro pedu, napamusoro pamadzimambo edu navatungamiri, napamusoro pavaprista vedu navaprofita, pamusoro pamadzibaba edu navanhu vose, kubva pamazuva amadzimambo avaAsiria kusvikira nhasi. Pane zvakaitika kwatiri, imi makanga makarurama; makanga makatendeka, asi isu takaita zvakaipa. Madzimambo edu, vatungamiri vedu, vaprista vedu namadzibaba edu havana kutevera murayiro wenyu; havana kuita hanya nokurayira kwenyu kana yambiro dzamakavapa. Kunyange pavakanga vachibata ushe hwavo, vachifarira kunaka kwenyu kukuru kwavari munyika yamakavapa, munyika yakakura uye ine ivhu rakanaka, havana kukushumirai kana kusiya nzira dzavo dzakaipa. “Asi tarirai, tava nhapwa nhasi, nhapwa munyika yamakapa madzitateguru edu kuti vadye zvibereko zvayo uye nezvimwe zvakanaka zvainobereka. Nokuda kwezvivi zvedu zvibereko zvayo zvizhinji zvava kuenda kumadzimambo amakaisa pamusoro pedu. Vane simba pamusoro pemiviri yedu uye vanoita zvavanoda nemombe dzedu. Tiri pakutambudzika kukuru. “Nokuda kwezvose izvi, tiri kuita chitenderano chakasimba, tichichinyora, vatungamiri vedu, uye vaRevhi vedu uye navaprista vedu vachaisa chisimbiso chavo pachiri.” Zvino avo vakaisa chisimbiso ndeava: Nehemia mubati, mwanakomana waHakaria, Zedhekia, Seraya, Azaria, Jeremia, Pashuri, Amaria, Marikia, Hakushi, Shebhania, Maruki, Harimu, Meremoti, Obhadhia, Dhanieri, Ginetoni, Bharuki, Meshurami, Abhija, Mijamini, Maazia, naBharigai, naShemaya. Ava ndivo vaiva vaprista. VaRevhi vaiti: Jeshua mwanakomana waAzania, Bhinui wokuvanakomana vaHenadhadhi, Kadhimieri, nehama dzavo: Shebhania, Hodhia, Kerita, Peraya, Hanani, Mika, Rehobhi, Hashabhia, Zakuri, naSherebhia, Shebhania, Hodhia, Bhani Bheninu. Vatungamiri vavanhu vaiva ava: Paroshi, Pahati-Moabhu, Eramu, Zatu, Bhani, Bhuni, Azigadhi, Bhebhai, Adhoniya, Bhigivai, Hadhini, Ateri, Hozekia, Azuri, Hodhia, Hashumi, Bhezai, Harifi, Anatoti, Nebhai, Magipiashi, Meshurami, Heziri, Meshezabheri, Zadhoki, Jadhua, Peratia, Kanani, Anaya Hoshea, Hanania, Hashubhi, Harosheshi, Piriha, Shobheki, Rehumi, Hashabhina, Maaseya, Ahia, Hanani, Anani, Maruki, Harimi naBhaana. “Uye vamwe vanhu vose, vaiti vaprista, vaRevhi, vachengeti vemikova, vaimbi, vashandi vomutemberi, navose vakazvitsaura kubva kuvanhu vakavakidzana navo, nokuda kwomurayiro waMwari, pamwe chete navakadzi vavo, navanakomana vavo vose navanasikana vavo vose vaigona kunzwisisa. Zvino ava vose vakabatana pamwe chete nehama dzavo ivo vakuru, uye vakazvisunga nechituko nemhiko kuti vatevere Murayiro waMwari wakapiwa kubudikidza naMozisi muranda waMwari uye kuti vachenjerere kuteerera zvose zvakarayirwa, nezvakatemwa uye nemitemo yaJehovha Ishe wedu. “Tinovimbisa kuti hatizopa vanasikana vedu kuti vawanikwe navanhu vakatipoteredza kana kutorera vanakomana vedu vanasikana vavo. “Kana vanhu vatakavakidzana navo vakauya nezvokutengesa kana zviyo kuzotitengesera neSabata, hatizovatengeri nomusi weSabata kana pazuva ripi zvaro dzvene. Pagore rechinomwe roga roga ticharegedza kushanda muminda uye tichadzima zvikwereti zvose. “Tinozvipira kuita zvakarayirwa kuti tipe chetatu cheshekeria gore negore kushumiro yeimba yaMwari wedu: kuchingwa chakaiswa patafura, kuzvipiriso zvenguva nenguva zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nomoto, kuzvipiriso zvinopiwa pamaSabata nokumitambo yoKugara kwoMwedzi uye nokumitambo yakatarwa, kuzvipiriso zvitsvene; kuzvipiriso zvechivi zvokuyananisira Israeri, nokumabasa ose omuimba yaMwari. “Isu vaprista, navaRevhi uye navanhu, takanda mijenya kuti tione kuti mhuri imwe neimwe yedu inouya rini kuimba yaJehovha Mwari wedu, nechipo chehuni dzinopiswa paaritari yaJehovha Mwari wedu, panguva yakatarwa, gore negore, sezvazvakanyorwa mumurayiro. “Tazvipirazve pabasa rokuuya kuimba yaJehovha nezvibereko zvokutanga zvezviyo nezvemiti yemichero yose gore negore. “Tichauya namatangwe avanakomana vedu neemombe dzedu, neezvipfuwo zvedu neemakwai edu kuimba yaMwari wedu, nokuvaprista vanoshumira imomo, sezvazvakanyorwa muMurayiro. “Pamusoro pezvo, tichauyisa kumatura eimba yaMwari wedu, nokuvaprista, zvibereko zvokutanga zvevhu, zvipiriso zvedu zvezviyo, nezvemiti yose yemichero nezvewaini yedu itsva uye namafuta. Uye tichauyisa chegumi chezviyo zvedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanounganidza zvegumi mumaguta ose atinoshanda. Muprista worudzi rwaAroni anofanira kuenda navaRevhi pavanogamuchira zvegumi, uye vaRevhi vanofanira kuuya nechegumi chezvegumi kuimba yaMwari wedu, kumatura eimba yepfuma. Vanhu vaIsraeri pamwe chete navaRevhi, vanofanira kuuya nezvipo zvavo zvezviyo, newaini itsva uye namafuta kumatura kunochengeterwa midziyo yose yenzvimbo tsvene, uye kunogara vaprista vanoshumira, navarindi vemikova navaimbi. “Hatizoshayi hanya neimba yaMwari wedu.” Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo. Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema. Ava ndivo vakuru vamatunhu vakandogara muJerusarema (zvino vamwe vavaIsraeri, vaprista, vaRevhi, vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vakagara mumaguta aJudha, mumwe nomumwe panzvimbo yake mumaguta akasiyana-siyana, kwozoti vamwe vanhu vaiva vokwaJudha nokwaBhenjamini vakagara muJerusarema): Vaibva kuzvizvarwa zvaJudha vaiti: Ataya mwanakomana waUzia, mwanakomana waZakaria, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri, chizvarwa chaPerezi; naMaaseya mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKorihoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekaria, chizvarwa chaShera. Zvizvarwa zvaPerezi avo vaigara muJerusarema vaiva mazana mana namakumi matanhatu navasere vaiva varume voumhare. Vaibva kuzvizvarwa zvaBhenjamini vaiti: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya, nevaimutevera vaiti Gabhai naSarai, vaiva varume vanosvika mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere. Joere mwanakomana waZikiri akanga ari mukuru wavo, uye Judha mwanakomana waHasenua, aiva pamusoro peDunhu reChipiri reguta. Vaibva kuvaprista ndeava: Jedhaya; mwanakomana waJoyaribhi; naJakini; Seraya mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mutariri weimba yaMwari, nehama dzavo, avo vakaenderera mberi nebasa retemberi, vaiva varume vana mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waPeraria, mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikija, nehama dzake vaiva vakuru vedzimba, varume mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashisai mwanakomana waImeri, nehama dzake, vaiva varume voumhare, zana namakumi maviri navasere. Mutariri wavo mukuru aiva Zedhudhieri mwanakomana waHagedhorimi. Vaibva kuvaRevhi ndeava: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni; Shabhetai naJozabhadhi, vari vaviri vaiva vakuru vavaRevhi, vari vatariri vamabasa okunze kweimba yaMwari; Matania mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, mukuru aitungamirira pakuvonga nokunyengetera; Bhakubhukia, aiva wechipiri paukuru pakati pehama dzake; naAbhudha mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni. VaRevhi vaiva muguta dzvene vaisvika mazana maviri namakumi masere navana. Vachengeti vamasuo: Akubhi, naTarimoni nehama dzavo, ndivo vaichengeta musuo, varume vaisvika zana namakumi manomwe navaviri. Vamwe vaIsraeri vose, navaprista navaRevhi, vaiva mumaguta ose eJudha, mumwe nomumwe panhaka yake. Vashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi, uye Ziha naGishipa ndivo vaiva vatungamiri vavo. Mutariri mukuru wavaRevhi muJerusarema aiva Uzi mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika. Uzi aiva mumwe wezvizvarwa zvaAsafi, vaiva vaimbi vari vabati veshumiro yeimba yaMwari. Vaimbi vaiva pasi pomutemo wamambo, waivataurira zvokuita zuva nezuva. Petahia mwanakomana waMeshezabheri, mumwe wezvizvarwa zvaZera mwanakomana waJudha, aiva mubati waMambo panyaya dzose dzavanhu. Kana iri misha neminda yavo, vanhu vokwaJudha vakagara muKiriati Abha namaruwa akaripoteredza, muDhibhoni namaruwa aro, muJekabhizeri nemisha yaro, muJeshua, muMoradha, nomuBheti Pereti, nomuHazari Shuari, nomuBheerishebha namaruwa aro, nomuZikiragi, nomuMekona namaruwa aro, muEni Rimoni, nomuZora, nomuJarimuti, Zanoa, neAdhurami nemisha yawo, muRakishi neminda yaro, nomuAzeka namaruwa aro. Naizvozvo vakanga vagere munzvimbo yose kuBheerishebha kusvikira kuMupata weHinomi. Zvizvarwa zvaBhenjamini zvaibva kuGebha zvakagara muMikinashi, neAija neBeteri namaruwa acho, muAnatoti, neNobhi neAnania, muHazori, neRama neGitaimi, muHadhidhi, Zebhoimi neNebharati, muRodhi neOno, nomuMupata weMhizha. Mamwe mapoka avaRevhi vokwaJudha akandogara muBhenjamini. Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakadzokera naZorubhabheri, mwanakomana waShearitieri naJeshua: Seraya, Jeremia, naEzira, Amaria, Maruki, Hatushi, Shekania, Rehumi, Meremoti, Idho, Ginetoni, Abhija, Mijamini Moadhia, Bhiriga, Shemia, Joirabhi, naJedhaya. Saru, Amoki, Hirikia naJedhaya. Ava ndivo vaiva vatungamiri vavaprista pamwe chete nehama dzavo pamazuva aJeshua. VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhinui, Kadhimieri, Sherebhia, Judha, uyewo naMatania pamwe chete nehama dzake, aiva mukuru wenziyo dzokuvonga. Bhakibhukia naUni, nehama dzavo, vakamira vakatarisana navo mushumiro. Jeshua aiva baba vaJoyakimu, Joyakimu aiva baba vaEriashibhi, Eriashibhi ari baba vaJoyadha, Joyadha baba vaJonatani, uye Jonatani baba vaJadhua. Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaprista, pamazuva aJoyakimu: wokwaSeraya, aiva Meraya; wokwaJeremia, aiva Hanania; wokwaEzira, aiva Meshurami; wokwaAmaria, aiva Jehohanani; wokwaMaruki, aiva Jonatani; wokwaShekania, aiva Josefa; wokwaHarimu, aiva Adhina; wokwaMeremoti, aiva Herikai; wokwaIdho, aiva Zakaria; wokwaGinetoni aiva Meshurami; wokwaAbhina, aiva Zikiri; wokwaMiniamini, nowokwaMoadhia, aiva Piritai; wokwaBhiriga aiva Shamia; wokwaShemaya, aiva Jehonatani; wokwaJoyaribhi, aiva Matenai; wokwaJedhaya, aiva Uzi; wokwaSaru, aiva Karai; wokwaAmoki, aiva Ebheri; wokwaHirikia, aiva Hashabhia; wokwaJedhaya, aiva Netaneri. Vakuru vedzimba dzavaRevhi mumazuva aEriashibhi, Joyadha, Johanani naJadhua, pamwe chete neavo vaiva vevaprista, vakanyorwa mazita avo pamazuva okutonga kwaDhariasi muPezhia. Vakuru vedzimba pakati pezvizvarwa zvaRevhi kusvikira panguva yaJohanani mwanakomana waEriashibhi vakanyorwa mumabhuku enhoroondo. Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo aimira akatarisana navo vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura. Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori. Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara akauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro nenziyo dzokuvonga uye nokuimba vachiridza makandira, mitengeranwa nembira. Vaimbi vakaunganidzwa pamwe chete kubva kumatunhu akapoteredza Jerusarema, nokumisha yavaNetofati; nokuBheti Girigari uye kubva munzvimbo yeGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha vakapoteredza Jerusarema. Zvino vaprista navaRevhi vakati vazvinatsa, vakanatsawo vanhu, mikova norusvingo. Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova waMarara. Hoshaya nehafu yavatungamiri vaJudha vakavatevera, pamwe chete naAzaria, Ezira, Mesharami, Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremia, pamwe chete navamwe vaprista vaiva nehwamanda, uyewo naZekaria mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi, nehama dzake vanaShemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, naNataneri, Judha naHanani nemidziyo yokuimbisa yakarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Ezira munyori akavatungamirira ari pamberi. Vakafamba napaSuo reTsime vakarurama kumatanho eGuta raDhavhidhi napamukwidza wokurusvingo uye vakapfuura napamusoro peimba yaDhavhidhi vakananga kuSuo reMvura kumabvazuva. Rimwe boka ravaivonga rakaenda kuruboshwe. Ini ndakavatevera pamwe chete nehafu yavanhu ndiri pamusoro porusvingo, ndikapfuura napashongwe yechoto kusvikira kurusvingo rwakapamhama, napamusoro peSuo raEfuremu, Suo reKare, Suo reHove, Shongwe yaHananeri napaShongwe yeZana, kusvikira paSuo raMakwai. Vakamira paSuo raVarindi. Naizvozvo mapoka maviri avavongi akamira muimba yaMwari, neni ndikaita saizvozvo, pamwe chete nehafu yavabati, navapristawo, vanaEriakimi, Maaseya, Miniamini, Mikaya, Erioenai, Zekaria naHanania, nehwamanda dzavo, uyewo Maaseya, Shemaya, Ereazari, Uzi Jehonani, Marikija, Eramu naEzeri. Vaimbi vakaimba vachitungamirirwa naJezirahia. Pazuva iro vakabayira zvibayiro zvikuru, vachifara nokuti Mwari akanga avapa mufaro mukuru. Vakadzi navana vakafarawo. Maungira omufaro waiva muJerusarema wakanzwika kure kwazvo. Panguva iyoyo varume vakagadzwa kuva vatariri vamatura okuvigira zvaiunganidzwa, uye zvibereko zvokutanga nezvegumi. Vaifanira kuuya nezvaibva muminda yakapoteredza maguta kumatura okuvigira migove yakatarirwa vaprista navaRevhi nomurayiro, nokuti Judha yakafadzwa navaprista navaRevhi vaishumira. Vakaita shumiro yaMwari wavo neshumiro yokunatswa, pamwe chete navaimbi navachengeti vamasuo, sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni. Nokuti kare kare, mumazuva aDhavhidhi naAsafi, kwaiva navatungamiri vavaimbi nezvenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari. Saka mumazuva aZerubhabheri naNehemia, vaIsraeri vose vaipa migove yezuva nezuva kuvaimbi navachengeti vamasuo. Vakatsaurawo mugove wavamwe vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurawo mugove wezvizvarwa zvaAroni. Pazuva iroro Bhuku raMozisi rakaverengwa nenzwi guru vanhu vachizvinzwa uye zvakawanikwa zvakanyorwa kuti muAmoni nomuMoabhu havabvumirwi kupinda muungano yaMwari, nokuti havana kundosangana navaIsraeri nezvokudya nemvura asi vakaripira Bharamu kuti avatuke. Kunyange zvakadaro, Mwari wedu, akashandura kutuka kukava ropafadzo. Vanhu vakati vanzwa murayiro uyu, vakabvisa vose vakanga vari vatorwa pakuberekwa. Zvino zvisati zvaitika izvi, Eriashibhi muprista akanga agadzwa kuti ave mutariri wamatura okuvigira eimba yaMwari wedu. Akanga ane ukama hwepedyo naTobhia, uye akanga amugadzirira kamuri guru raimbochengeterwa zvipiriso zvezviyo nezvinonhuwira uye midziyo yetemberi, nezvegumi zvezviyo, waini itsva namafuta akarayirwa kuti apiwe vaRevhi, vaimbi navachengeti vamasuo, uyewo nemigove yavaprista. Asi pazvaiitika zvose izvi, ndakanga ndisiri muJerusarema, nokuti mugore ramakumi matatu namaviri raAtazekisesi mambo weBhabhironi ndakanga ndadzokera kuna mambo. Mumashure menguva yakati ndakakumbira mvumo ndokudzokera kuJerusarema. Ipapo ndakanzwa pamusoro pechinhu chakaipa chakanga chaitwa naEriashibhi chokuti akagadzirira Tobhia kamuri muruvazhe rweimba yaMwari. Ndakashatirwa zvikuru ndokurasira kunze kwemba, midziyo yose yaTobhia. Ndakarayira kuti makamuri acheneswe, ndokubva ndadzorera imomo midziyo yose yeimba yaMwari, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuwira. Ndakaonawo kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo, uye kuti vaRevhi vose navaimbi vaiva nebasa rokushumira vakanga vadzokera kuminda yavo. Saka ndakatsiura vabati ndikavabvunza ndikati, “Imba yaMwari yashayirwa hanya neiko?” Ipapo ndakavaunganidza pamwe chete akavadzosera kunzvimbo dzavo. VaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, newaini itsva namafuta vakazviisa mumatura. Ndakaisa Sheremia muprista, Zadhoki munyori, nomuRevhi ainzi Pedhaya kuti vave vatariri vamatura uye ndikaita kuti Hanania, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania, ave mubatsiri wavo, nokuti varume ava vakaonekwa kuti vaiva vakavimbika. Vaiva nebasa rokugovera hama dzavo migove yavo. Haiwa Mwari wangu, ndirangarireiwo nokuda kwaizvozvi, uye musadzima zvandakaita nokutendeka kuimba yaMwari wangu, neshumiro yayo. Mumazuva iwayo ndakaona varume muJudha vachitsika zvisviniro zvewaini nomusi weSabata vachiuya nezviyo vachizvikwidza pambongoro, pamwe chete newaini, mazambiringa, maonde namarudzi ose emitoro. Vaiuya nezvinhu zvose izvi muJerusarema nomusi weSabata. Naizvozvo ndakavayambira kuti vasatengesa zvokudya pazuva iroro. Varume vaibva kuTire vaigara muJerusarema vaiuya nehove nemhando dzose dzezvokutengesa vachizvitengesa muJerusarema kuvanhu veJudha nomusi weSabata. Ndakatsiura vakuru veJudha ndikati kwavari, “Chiiko ichi chinhu chakaipa chamunoita muchizvidza zuva reSabata? Ko, madzitateguru enyu haana kuita zvimwe chetezvo here, zvokuti Mwari wedu akazouyisa dambudziko iri pamusoro pedu napamusoro peguta rino? Zvino muri kumutsa hasha dzakawanda pamusoro paIsraeri nokuzvidza Sabata.” Zvino mimvuri yezuva rovira yakati yafukidza masuo eJerusarema, Sabata risati rasvika, ndakarayira kuti mikova ipfigwe uye kuti isazarurwa kusvikira Sabata rapfuura. Ndakaisa vamwe vavaranda vangu pamasuo kuti kurege kuva nomutoro ungauyiswa mukati nomusi weSabata. Naizvozvo kamwe chete kana kaviri, vashambadziri navatengesi vemhando dzose vakarara usiku hwose kunze kweJerusarema. Asi ndakavayambira ndikati, “Seiko muchirara usiku hwose parusvingo? Kana mukazviitazve, ndichakusungai.” Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi havana kuzouuyazve nomusi weSabata. Ipapo ndakarayira vaRevhi kuti vazvinatse uye kuti vaende kundorinda masuo kuitira kuti zuva reSabata richengetwe riri dzvene. Haiwa Mwari wangu ndirangarireiwo pachinhu ichi, Mwari wangu, mugoratidza tsitsi kwandiri maererano norudo rwenyu rukuru. Pamusoro pezvo, mumazuva iwayo, ndakaona varume vokwaJudha vakanga vawana vakadzi vaibva kuAshidhodhi, neAmoni neMoabhu. Hafu yavana vavo vaitaura mutauro nechiAshidhodhi kana mutauro mumwewo wavamwe vanhu, uye vakanga vasingazivi mutauro wechiJudha. Ndakavatsiura ndikavatuka. Ndakarova vamwe varume uye ndikadzura bvudzi ravo. Ndakaita kuti vapike nezita raMwari uye ndikati kwavari, “Hamufaniri kupa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo, kana kuzvitorera imi. Ko, Soromoni mambo weIsraeri haana kutadza here nokuda kwavakadzi vakadai? Pakati pendudzi zhinji hapana kumbova namambo akaita saye. Aidikanwa naMwari wake, uye Mwari akamuita mambo pamusoro pavaIsraeri vose, asi kunyange zvakadaro akapinzwa muchivi navakadzi vatorwa. Ko, isu zvino tingazvinzwawo here kuti nemiwo zvakare muri kuita zvinhu zvakaipa kudai uye kuti hamuna kutendeka kuna Mwari wedu, muchiwana vakadzi vatorwa?” Mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi muprista mukuru akanga ari mukuwasha waSanibharati muHoroni. Zvino ndakamudzinga kure neni. Haiwa Mwari wangu, varangarirei nokuti vakasvibisa basa rouprista uye nesungano youprista neyavaRevhi. Saka ndakanatsa vaprista navaRevhi pazvinhu zvose zvavatorwa, ndikavapa madzoro avo, mumwe nomumwe pabasa rake. Ndakapawo zvipo zvehuni panguva dzakatarwa nezvezvibereko zvokutanga. Mundirangarirewo, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka. Izvi ndizvo zvakaitika panguva yaZekisesi, uya Zekisesi akatonga nyika zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia: Panguva iyo mambo Zekisesi akatonga ari pachigaro chake choumambo munhare yeShushani uye mugore rake rechitatu akapa makurukota ake ose navabati vake mabiko. Vakuru vehondo yePezhia neMedhia, machinda namakurukota enyika aivapo. Akaratidza kuwanda kwepfuma youmambo hwake uye nokuyevedza nokubwinya kwoumambo hwake kwamazuva zana namakumi masere akazara. Mazuva aya akati apera, mambo akaita mabiko akapedza mazuva manomwe, mumunhanga webindu romuzinda wamambo achiitira vanhu vose kubva kuvadiki kusvikira kuvakuru, vaigara munhare yeShushani. Bindu raiva nezvakarembedzwa zvichena nezvebhuruu zvomucheka, zvakanga zvakasungirirwa nezvisungo zvomucheka muchena nowepepuru, kuzvikochekedzo zvesirivha pamusoro pembiru dzamatombo akanga akavezwa. Paiva nezvigaro zvegoridhe nezvesirivha pamusoro penzira yamatombo mashava, machena namamwewo anokosha. Waini yaipiwa vanhu mumidziyo yegoridhe, yakasiyana-siyana, uye waini yamambo yakanga yakawanda, asingavanyimi napaduku. Vakakokwa vakabvumirwa kunwa pamadiro, nokuti mambo akarayira vatariri vewaini vose kuti vagovere mumwe nomumwe sezvaaida. VaHosi Vhashiti vakaitawo mabiko amadzimai mumuzinda waMambo Zekisesi. Pazuva rechinomwe, Mambo Zekisesi afara kwazvo mumwoyo make nokuda kwewaini, akarayira varanda vanomwe vaimushumira, Mehumani, Bhizita, Habhona, Bhigita, Abhagita, Zeta naKakasi, kuti vauye navaHosi Vhashiti, vakapfeka korona youmambo, kuti aratidze runako rwavo kuvanhu nokumakurukota, nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa. Asi pakasvika shoko rakanga rarayirwa namambo, vaHosi Vhashiti vakaramba kuuya. Ipapo mambo akashatirwa zvikuru uye akatsva nehasha. Ipapo mambo akabvunza vachenjeri vaiziva murayiro uye vainzwisisa zvenguva sezvo yaiva tsika yamadzimambo kubvunza nyanzvi dzezvomurayiro nokururamisira, uye vaiva pedyo kwazvo namambo vaiti: Kashena, Sheta, Adhumata, Tashishi, Meresi, Masena naMemukani, makurukota manomwe ePezhia neMedhia avo vaiva nekodzero yokupinda kuna mambo uye vaikudzwa muumambo. Akabvunza achiti, “Pamurayiro chii chinofanira kuitwa kuna vaHosi Vhashiti? Havana kuteerera kurayira kwaMambo Zekisesi sokuudzwa kwavaitwa navaranda.” Ipapo Memukani akapindura pamberi pamambo namakurukota akati, “VaHosi Vhashiti vaita zvakaipa, kwete kuna mambo chete asi nokumakurukota ose nokuvanhu vose venyika dzose dzamambo Zekisesi. Nokuti zvaitwa navahosi zvichazivikanwa navakadzi vose, nokudaro vachazvidza varume vavo vachiti, ‘Inga wani Mambo Zekisesi vakarayira vaHosi Vhashiti kuti vauye vamire pamberi pavo, asi vakaramba kuuya.’ Iye nhasi uno vakadzi vamakurukota ePezhia neveMedhia vanzwa zvaitwa navahosi vachaitawo saizvozvo kumakurukota amambo. Kusakudzana nenyonganyonga hazvimbozoperi. “Naizvozvo, kana mambo achifara nazvo, ngaateme chirevo chamambo uye ngachinyorwe mumirayiro yavaPezhia navaMedhia, isingagoni kushandurwa kuti Vhashiti haachazosvikizve pamberi paMambo Zekisesi. Uyezve mambo ngaape chinzvimbo chake muumambo kuno mumwe ari nani kupinda iye. Ipapo kana chirevo chamambo chaziviswa muumambo hwake hwose, vakadzi vose vachakudza varume vavo, kubva kumudiki kusvikira kumukuru.” Mambo namakurukota ake vakafadzwa nezano iri, saka mambo akaita sezvakanga zvarehwa naMemukani. Akatumira matsamba kumativi ose oumambo hwake, kunyika imwe neimwe norunyoro rwayo nokumunhu mumwe nomumwe nomutauro wake achizivisa norurimi rwavanhu kuti murume mumwe nomumwe ave nesimba pamusoro peimba yake. Mushure mezvinhu izvi kutsamwa kwamambo Zekisesi kwapera, akarangarira Vhashiti nezvaakanga aita uye nezvaakanga atema pamusoro pake. Ipapo varanda vamambo vaimushandira vakati, “Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka. Mambo ngaagadze nhume munyika dzose dzoumambo hwake kuti vauye navasikana vakanaka munzvimbo inogara vakadzi panhare yeShushani. Ngavachengetwe naHegai, muranda wamambo anoona nezvamadzimai, uye zvinopa runako ngazvipiwe kwavari. Zvino musikana uyo anofadza mambo ngaave vahosi pachinzvimbo chaVhashiti.” Zano iri rakafadza mambo, uye akaita saizvozvo. Zvino munhare yeShushani maiva nomuJudha worudzi rwaBenjamini, ainzi Modhekai mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi, akanga atapwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, ari pakati paavo vakatapwa pamwe chete naJehoyakini mambo weJudha. Modhekai aiva nomwanasikana wasekuru vake ainzi Hadhasa, waakanga arera nokuti akanga asina mai kana baba. Musikana uyu ainziwo Esteri, akanga akanaka kwazvo pachimiro napaunhu, uye Modhekai akanga amutora somwanasikana wake pakufa kwakaita mai vake nababa vake. Zvino murayiro nomutemo wamambo zvakati zvaziviswa, vasikana vazhinji vakauyiswa kunhare yeShushani ndokuiswa pasi paHegai kuti avachengete. NaEsteriwo akatorwa akaiswa mumuzinda wamambo akachengetwa naHegai, aiva muchengeti wenzvimbo yaigara madzimai. Musikana akamufadza akawana nyasha kwaari. Pakarepo akamupa zvinonhuwira zvinowedzera runako uye nezvokudya zvakatsaurwa. Akamupa vasikana vanomwe vakanga vasarudzwa kubva munhare yamambo ndokumuendesa iye navasikana vake kunzvimbo yakanga yakanakisisa muimba yavakadzi. Esteri akanga asina kutaura rudzi rwake nemhuri yake, kana kwaaibva, nokuti Modhekai akanga amurambidza kuita izvozvo. Zuva rimwe nerimwe aitenderera ari pedyo noruvazhe rwenzvimbo yaigariswa vanhukadzi achida kuona kuti Esteri akadini uye kuti chii chaiitika kwaari. Musikana aifanira kupedza mwedzi gumi nemiviri achizvinatsa nezvinonhuwira dzoro rake risati rasvika rokupinda kuna mambo Zekisesi sokurongerwa kwaiitirwa vanhukadzi, mwedzi mitanhatu yamafuta emura uye mwedzi mitanhatu yezvinonhuwira nezvizoro. Zvino aya ndiwo aiva maindiro ake kuna mambo: Aipiwa chinhu chipi nechipi chaaida kutora kuti aende nacho kumuzinda wamambo paainge achibva kwaigara vanhukadzi. Ava manheru aipota achiendako uye mangwanani achidzokera kune rimwe kamuri raigara vanhukadzi kunochengetwa naShaashigazi, muranda wamambo aiva muchengeti wavarongo. Aisadzokerazve kuna mambo kunze kwokunge mambo afadzwa naye akamudaidza nezita. Dzoro raEsteri rakati rasvika (musikana akanga atorwa kuti ave mwana naModhekai, mwanasikana wasekuru vake Abhihairi) rokuenda kuna Mambo, haana chaakakumbira kunze kwezvaakaudzwa naHegai, muranda wamambo aiva mutariri wenzvimbo yaigarwa navanhukadzi. Zvino Esteri akawana nyasha kuna vose vakamuona. Akaendeswa kuna Mambo Zekisesi muimba youmambo mumwedzi wegumi, mwedzi waTibheti, mugore rechinomwe rokutonga kwake. Zvino mambo akayevedzwa naEsteri kupfuura ani naani zvake wavamwe vakadzi, uye akawana nyasha kwaari akagamuchirwa kupfuura ani zvake pakati pedzimwe mhandara. Saka akagadza korona youmambo pamusoro wake akamuita vahosi panzvimbo yaVhashiti. Zvino mambo akaita mabiko makuru, mabiko aEsteri, achiitira makurukota ake ose navabati. Akadaidzira zuva rezororo munyika dzose akagovera zvipo, mambo asinganyimi napaduku. Mhandara dzakati dzaungana kechipiri, Modhekai akanga akagara pasuo ramambo. Asi Esteri akanga avanza nhoroondo yemhuri yake norudzi rwake sezvaakanga audzwa naModhekai, nokuti akaramba achitevera kurayira kwaModhekai nezvaaisiita acharerwa naye. Panguva iyo Modhekai akanga akagara pasuo ramambo, Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vairinda mukova vakatsamwa ndokubva varangana kuuraya Mambo Zekisesi. Asi Modhekai akazviziva ndokubva audza Esteri nezverangano iyi, iye ndokuzvizivisa kuna mambo, achiti akanga anzwa naModhekai. Zvino shoko iri rakati raferefetwa uye rikawanikwa riri rechokwadi, vabati vaviri ava vakasungirwa pamatanda vakafa. Zvose izvi zvakanyorwa mubhuku renhoroondo pamberi pamambo. Shure kwaizvozvo, Mambo Zekisesi akaremekedza Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, akamukwidziridza nokumupa chigaro chinokudzwa chakanga chiri pamusorosoro kupfuura zvamamwe makurukota ose. Vabati vose vomuumambo vaimira pamusuo vakamupfugamira vakapa rukudzo kuna Hamani, nokuti mambo akanga arayira kuti aitirwe izvi. Asi Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumukudza. Ipapo vabati vaimira pasuo ramambo vakabvunza Modhekai vakati, “Sei usingateereri murayiro wamambo?” Zuva nezuva vaitaura naye asi iye akaramba kuvanzwa. Naizvozvo vakaudza Hamani izvozvo kuti vaone kuti maitiro aModhekai angangoregererwa here, nokuti iye akanga avaudza kuti aiva muJudha. Hamani akati aona kuti Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumuremekedza, akatsamwa kwazvo. Asi paakanzwa kuti vanhu vaModhekai vaiva vapi akafunga zvokusauraya Modhekai chete. Panzvimbo yokuita izvi Hamani akatsvaka nzira yokuuraya vanhu vose vaModhekai, vaJudha vose vaiva muumambo hwaZekisesi. Mugore regumi namaviri raMambo Zekisesi mumwedzi wokutanga, mwedzi waNisani, vakakanda puri (ndiwo mujenya) pamberi paHamani kuti vasarudze zuva nomwedzi. Mujenya wakawira pamwedzi wegumi nemiviri, mwedzi waAdha. Ipapo Hamani akati kuna Mambo Zekisesi, “Kuna vamwe vanhu vakapararira nokutekeshera vari pakati pamarudzi mumatunhu oushe hwenyu vane tsika yakasiyana navamwe vanhu vose uye havateereri mirayiro yamambo; hazvinganakiri mambo kuti muvaregerere. Kana mambo achifara nazvo, ngapaiswe chirevo chokuti vaparadzwe, uye ini ndicharipa matarenda zviuru gumia esirivha mudura repfuma yamambo kuti igoshandiswa kuripira avo vachabata basa iri ramambo. Naizvozvo mambo akatora mhete yechindori kubva pamunwe wake akaipa kuna Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha. Mambo akati kuna Hamani, “Chengeta mari uye ita zvaunoda navanhu.” Zvino pazuva regumi namatatu romwedzi wokutanga vanyori vamambo vakadaidzwa. Vakanyora namanyorero enyika imwe neimwe uye nomutauro worudzi rumwe norumwe zvose zvakarayirwa naHamani kumakurukota ehurumende, navabati venyika dzakasiyana-siyana namakurukota amarudzi akasiyana-siyana. Tsamba idzi dzakanyorwa muzita raMambo Zekisesi pachake uye dzikasimbiswa nemhete yake. Matsamba aya akatumirwa navatakuri vamatsamba kunyika dzose dzamambo Zekisesi dziine murayiro wokuparadza, kuuraya, nokupedza vaJudha vose, vadiki navakuru, vakadzi navana vadiki, nokupamba zvinhu zvavo, nezuva rimwe chete, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi waAdha. Rimwe gwaro rechirevo ichi raizodzikwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe, vanhu vendudzi dzose vachizoziviswa kuti vagare vakagadzirira zuva iroro. Vatakuri vamatsamba vakabuda nokukasika sokurayira kwamambo, vakandozivisa chirevo panhare yeShushani. Mambo naHamani vakagara pasi kuti vanwe, asi guta reShushani rakanyonganiswa. Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akazvizora madota, uye akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo. Asi akangosvika pasuo ramambo chete, nokuti munhu akapfeka masaga akanga asingabvumirwi kupinda. Munyika ipi neipi makasvika chirevo nomurayiro wamambo, maiva nokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, kuchema, nokuungudza. Vazhinji vakapfeka masaga vakarara mumadota. Varandakadzi vaEsteri navaranda vake pavakasvika vakamuudza nezvaModhekai, akatambudzika zvikuru. Akamutumira mbatya kuti apfeke panzvimbo yamasaga ake, asi haana kuzvigamuchira. Ipapo Esteri akatuma Hataki, mumwe wavaranda vamambo vaimushandira, akamurayira kuti atsvake kuti dambudziko raModhekai raiva rei uye kuti seiko. Saka Hataki akabuda akaenda kuna Modhekai pachivara cheguta pamberi pesuo ramambo. Modhekai akamuudza zvose zvakanga zvaitika kwaari, pamwe chete nemari chaiyoiyo yakanga yavimbiswa naHamani kuti achaisa mudura ramambo kuti vaJudha vaparadzwe. Akamupawo gwaro rechirevo chezvokuparadzwa zvachose kwavo, rakanga raparadzirwa muShushani, kuti andoratidza Esteri uye amutsanangurire nezvaro, uye akamuudza kuti amukurudzire kuti aende andomira pamberi pamambo akumbire kuti vanzwirwe ngoni uye agoreverera vanhu vake kwaari. Hataki akadzokerazve akandozivisa Esteri zvakanga zvarehwa naModhekai. Ipapo akamurayira kuti andoti kuna Modhekai, “Vabati vose vamambo navanhu vomunyika dzamambo vanoziva kuti mambo vanongova nomurayiro mumwe wokuti, murume upi zvake kana mukadzi anosvika pana mambo muruvazhe rwomukati asina kudaidzwa anofanira kuurayiwa. Anongoraramiswa chete kana mambo atambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kwaari. Asi mazuva makumi matatu atopfuura mushure mokunge ndadaidzwa kuti ndiende kuna mambo.” Mashoko aEsteri akati aziviswa kuna Modhekai, iye akapindura achiti, “Usafunga kuti zvauri mumba mamambo iwe woga pakati pavaJudha uchapunyuka. Nokuti kana iwe ukanyarara panguva ino, kusunungurwa nokurwirwa kwavaJudha zvichabva kune imwe nzvimbo, asi iwe nemhuri yababa vako muchaparara. Zvino ndiani angaziva zvakaita kuti uve muimba youmambo nenguva yakaita seino?” Ipapo Esteri akatumira mhinduro kuna Modhekai achiti, “Enda unounganidza vaJudha vose vari muShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu. Musadya kana kunwa kwamazuva matatu, usiku namasikati. Ini navarandakadzi vangu tichazvinyima zvokudya sezvamunoita imi. Kana izvi zvaitwa, ndichaenda kuna mambo, kunyange zvisingatenderwi nomurayiro. Uye kana ndichifa, ndichafa hangu.” Saka Modhekai akaenda akaita zvose zvakanga zvarayirwa naEsteri. Pazuva rechitatu Esteri akapfeka nguo dzake dzouhosi ndokumira muruvazhe rwomukati momuzinda, pamberi peimba yamambo. Mambo akanga akagara pachigaro chake choushe mumba, akatarisana nomukova. Paakaona vaHosi Esteri vakamira muruvanze, akafadzwa naye ndokumutambanudzira tsvimbo yake yegoridhe yaiva muruoko rwake. Naizvozvo Esteri akaswedera ndokubata muromo wetsvimbo. Ipapo mambo akamubvunza achiti, “Uri kureveiko, vaHosi Esteri? Chikumbiro chako ndecheiko? Kunyange hafu youshe uchaipiwa.” Esteri akati, “Kana zvichifadza mambo, mambo ngaauye nhasi pamwe chete naHamani, kumabiko andakugadzirirai.” Mambo akati, “Hamani ngaauye nokuchimbidza, kuti tiite zvinokumbirwa naEsteri.” Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumabiko akaitwa naEsteri. Pavakanga vachinwa waini, mambo akabvunzazve Esteri achiti, “Zvino, chikumbiro chako ndechei? Uchachipiwa. Uye unokumbireiko? Kunyange hafu youshe, uchapiwa.” Esteri akapindura akati, “Chichemo changu nechikumbiro changu ndeichi: Kana ndanzwirwa nyasha namambo uye kana zvichifadza mambo kupedza chichemo changu nokuzadzisa chikumbiro changu, mambo ngaauye mangwana naHamani kumabiko andichavagadzirira. Ipapo ndichapindura mubvunzo wamambo.” Pazuva iro, Hamani akaenda achifara nomufaro mukuru mumwoyo make. Asi paakaona Modhekai pasuo ramambo uye akaona kuti akanga asingasimuki kana kuratidza kutya pamberi pake, akazara nehasha nokuda kwaModhekai. Zvakadaro hazvo, Hamani akazvidzora ndokubva aenda kumba. Adana shamwari dzake pamwe chete naZereshi, mukadzi wake, Hamani akavarondedzera nezvepfuma yake zhinji, zvokuwanda kwavanakomana vake, uye nenzira dzose dzaakaremekedzwa nadzo namambo nokuti akakwidziridzwa sei pamusoro pamamwe makurukota navabati. Hamani akatizve, “Hazvisi izvozvo chete, ndini chete munhu akakokwa navahosi Esteri kuti ndiperekedze mambo kumabiko aakatiitira. Zvino andikokazve mangwana pamwe namambo. Asi zvose izvi handigutsikani nazvo kana ndichiona muJudha uyu Modhekai agere pasuo ramambo.” Mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Misa matanda akareba makubhiti makumi mashanua, ugokumbira mambo panguva dzamangwanani kuti Modhekai asungirirwepo. Ipapo ugoenda namambo kumabiko nomufaro.” Shoko iri rakafadza Hamani, ndokubva aita kuti matanda amiswe. Usiku ihwohwo mambo akashaya hope; saka akarayira kuti mabhuku enhoroondo nezvinyorwa zvokutonga kwake zviuyiswe uye agozviverengerwa. Vakawana zvakanyorwamo kuti Modhekai akaburitsa pachena kuti Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vaichengeta mukova, vakanga varangana kuuraya Mambo Zekisesi. Mambo akabvunza akati, “Modhekai akagamuchira kukudzwa nerumbidzo yei nokuda kwaizvozvi.” Varanda vake vakati, “Hapana chaakaitirwa.” Mambo akati, “Ndiani ari muruvazhe?” Zvino Hamani akanga achangopinda muruvazhe rwokunze rwapamuzinda kuti azotaura kuna mambo maererano nokusungirira Modhekai pamatanda aakanga amisa. Varanda vake vakati, “Hamani amire paruvazhe?” Mambo akarayira achiti, “Uyai naye muno.” Hamani paakapinda, mambo akamubvunza achiti, “Chii chingaitwa namambo kumunhu waangafarira kukudza?” Ipapo Hamani akati mumwoyo make, “Ndiani aripo angada kukudzwa namambo kunze kwangu?” Naizvozvo akapindura mambo akati, “Iye munhu, mambo waanofarira kukudza, ngavamutorere nguo youshe yakambopfekwa namambo nebhiza rakambotasvwa namambo, rine korona youshe yakaiswa pamusoro paro. Ipapo nguo youshe nebhiza ngazviiswe kuno mumwe wamakurukota amambo anokudzwa kwazvo. Ngavapfekedze munhu uyo mambo waanofarira kukudza, vamutungamirire ari pabhiza vachipinda nomumigwagwa iri pakati peguta, vachidanidzira pamberi pake vachiti, ‘Izvi ndizvo zvinoitirwa munhu uyo mambo anofarira kukudza!’ ” Mambo akarayira Hamani achiti, “Enda nokukurumidza, utore nguo nebhiza uitire Modhekai muJudha, sezvawareva, uyo anogara pasuo ramambo. Usambosiya kana chinhu chimwe chezvawareva.” Saka Hamani akatora nguo nebhiza, akapfekedza Modhekai, uye akamutungamirira ari pamusoro pebhiza napakati pemigwagwa yeguta, achidanidzira pamberi pake achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa namambo kumunhu waanofarira kukudza!” Mushure mezvo Modhekai akadzokera pasuo ramambo. Asi Hamani akakurumidza kudzokera kumba, achichema akafukidza musoro wake, uye akandoudza Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvakanga zvaitika kwaari. Varayiri vake nomukadzi wake Zereshi vakati kwaari, “Sezvo Modhekai, uyo aita kuti uwe pamberi pake, ari wechiJudha, haugoni kumirisana naye, zvirokwazvo uchaparara!” Vakati vachiri kutaura naye, varanda vamambo vakasvika ndokuita kuti Hamani aende kumabiko akanga agadzirwa naEsteri. Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kundodya navaHosi Esteri, uye pavakanga vachinwa waini pazuva rechipiri, mambo akabvunzazve akati, “VaHosi Esteri, muri kukumbireiko? Muchapiwa. Chikumbiro chenyu ndechei? Kunyange kusvika pahafu youshe, muchazviitirwa.” Ipapo vaHosi Esteri vakapindura vakati, “Kana ndawana nyasha kwamuri, imi Mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu, ndicho chichemo changu, uye navanhu vangu, ndicho chikumbiro changu. Nokuti ini navanhu vangu takatengeswa kuti tiurayiwe tiparadzwe zvachose. Kana dai takanga tangotengeswa senhapwa dzavarume navakadzi, ndingadai ndaingonyarara, nokuti hakuna kutambudzika kwakadai kungasvika pakurwadza mambo.” Mambo Zekisesi akabvunza vahosi Esteri akati, “Ndiani iyeye? Aripi munhu iyeye afunga kuita chinhu chakadai?” Esteri akati, “Mudzivisi nomuvengi ndiyeyu Hamani ane utsinye.” Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo navahosi. Mambo akaviruka nehasha, akasiya waini yake ndokuenda kubindu romuzinda. Asi Hamani, achiona kuti mambo akanga atoronga magumo ake, akasara achiti akumbire upenyu hwake kuna vahosi Esteri. Mambo paakadzoka kubva kubindu romuzinda achidzokera kuimba yamabiko, Hamani akanga azviwisira pachigaro chakanga chigere Esteri. Mambo akati, “Asi otoda kuchinyira mambokadzi muno mumba ndinaye here?” Pakarepo shoko parakangobuda mumuromo wamambo, vakafukidza uso hwaHamani. Ipapo Habhona, mumwe wavaranda vaishandira mambo akati, “Pane danda rakareba makubhiti makumi mashanua rakamiswa paimba yaHamani. Akanga akarigadzirira Modhekai, uyo akataura zvakanaka kuti mambo abatsirwe.” Mambo akati, “Musungirirei iye ipapo!” Naizvozvo vakasungirira Hamani pamatanda aakanga agadzirira Modhekai. Ipapo kutsamwa kwamambo kwakadzikira. Pazuva iroro Mambo Zekisesi akapa imba yaHamani muvengi wavaJudha kuna vaHosi Esteri. Uye Modhekai akauya pamberi pamambo, nokuti Esteri akanga amuudza nezvoukama hwake naye. Mambo akabvisa mhete yake yechindori, yaakanga atorazve kubva kuna Hamani, ndokuipa Modhekai. Uye Esteri akamugadza kuti ave mutariri weimba yaHamani. Ipapo Esteri akakumbirisa zvakare akawira patsoka dzake achichema. Akakumbirisa kuti amise urongwa hwakaipa hwaHamani muAgagi, hwaakanga arongera vaJudha. Ipapo mambo akatambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kuna Esteri iye akasimuka akamira pamberi pake. Akati, “Kana zvichifadza mambo, uye kana achinditarisa nenyasha nokufunga kuti chinhu chakanaka kuita, uye kana achindifarira, murayiro ngaunyorwe unodzima tsamba dzakanga dzanyorwa naHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzokuparadza vaJudha mumatunhu ose amambo. Ndingagona seiko kuona kuparadzwa kuchiwira kuvanhu vangu? Ndingashinga sei ndichiona kuparadzwa kworudzi rwangu?” Ipapo Mambo Zekisesi akapindura vaHosii Esteri naModhekai muJudha achiti, “Nokuti Hamani akarwisa vaJudha, ndapa imba yake kuna Esteri, uye ivo vamuturika padanda. Zvino chinyorai chimwe chirevo muzita ramambo sezvamunoona zvakakunakirai mugochisimbisa nemhete yamambo, nokuti hakuna gwaro rakanyorwa muzita ramambo rikasimbiswa nemhete yake ringashandurwa.” Pakarepo vanyori vamambo vakadaidzwa, pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechitatu, mumwedzi waSivhana. Vakapa zvose zvakarayirwa naModhekai kuvaJudha, nokuvakuru vehondo, navabati uye namakurukota enyika dzaiva zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia. Zvakarayirwa izvi zvakanyorwa namanyorerwo enyika imwe neimwe nomutauro wenyika imwe neimwe. Modhekai akanyora muzita raMambo Zekisesi, uye akasimbisa tsamba dzacho nemhete yamambo, uye akadzitumira navatakuri vetsamba vainge vakatasva mabhiza aimhanya kwazvo akanga akapfuwirwa mambo. Chirevo chamambo chakapa vaJudha vaiva muguta rimwe nerimwe mvumo yokuungana nokuzvidzivirira; kuuraya nokuparadza zvachose varwi vapi zvavo vakapakata zvombo, vorudzi rupi norupi, kana nyika ipi yaigona kuzovarwisa ivo navakadzi vavo navana vavo; uye kupamba midziyo yavavengi vavo. Zuva regumi namatatu romwedzi waAdhari ndiro zuva rakanga rakatsaurirwa vaJudha kuti vaite izvi munyika yose yaMambo Zekisesi. Chinyorwa chechirevo ichi chaifanira kupiwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe nokuziviswa kuvanhu vamarudzi ose kuitira kuti pazuva iroro vaJudha vange vakagadzirira kutsiva vavengi vavo. Vatakuri vetsamba vakatasva mabhiza ashe vakaamhanyisa kwazvo, vachisundwa nokurayira kwamambo. Uye chirevo chakaziviswawo munhare yeShushani. Modhekai akabva pamberi pamambo akapfeka nhumbi dzoumambo dzaiva namavara ebhuruu namachena, korona huru yegoridhe nenguo yepepuru yomucheka wakaisvonaka. Guta reShushani rakaita mhemberero nomufaro mukuru. KuvaJudha kwaiva nechiedza, nomufaro nokufarisisa nokukudzwa. Munyika imwe neimwe, uye mumaguta ose, makasvika chirevo chamambo, maiva nomufaro nokufarisisa pakati pavaJudha, vachiita mabiko nokupembera. Uye vanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakava vaJudha nokuda kwokutya kwakanga kwavabata. Zvino mumwedzi wegumi nemiviri nezuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, chirevo chakanga charayirwa namambo chaifanira kuzadziswa. Pazuva iri, vavengi vavaJudha vakanga vatarisira kuvakunda, asi zvino zvinhu zvakavapindukira, vaJudha vakava noruoko rune simba pamusoro paavo vaivavenga. VaJudha vakaungana mumaguta avo munyika dzose dzaMambo Zekisesi kuti varwise avo vaitsvaka kuparadzwa kwavo. Uye makurukota ose enyika, navakuru vehondo, vabati namachinda amambo vakabatsira vaJudha, nokuti vakanga vava kutya Modhekai. Modhekai akanga ari mukuru mukuru mumuzinda; mbiri yake yakapararira munyika yose, uye akava nesimba rakaramba richikura. VaJudha vakabaya vavengi vavo vose nomunondo, vakavauraya vakavaparadza, uye vakaita zvavaida kune avo vaivavenga. VaJudha vakauraya uye vakaparadza varume vanokwana mazana mashanu munhare yeShushani. Vakaurayawo Parishandota, Dharifona, Asipata, Porata, Adharia, Aridhata, Pamashita, Arisai, Aridhai naVhaizata, vanakomana gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha. Asi havana kubata zvakapambwa. Vakaurayiwa munhare yeShushani vakaziviswa kuna mambo zuva iroro. Mambo akati kuna Esteri, “VaJudha vauraya nokuparadza mazana mashanu avarume uye vanakomana gumi vaHamani munhare yeShushani. Vaitei kune dzimwe nzvimbo dzenyika yamambo? Zvino chikumbiro chako ndechei? Uchapiwa. Chichemo chako ndechei? Uchachiitirwawo.” Esteri akapindura akati, “Kana mambo achifara nazvo, ipai vaJudha vari muShushani mvumo yokuendererazve mberi mangwana nechirevo chezuva ranhasi, uye ngazviitike kuti vanakomana gumi vaHamani vasungirirwe pamatanda.” Saka mambo akarayira kuti izvi zviitwe. Chirevo chakapiwa muShushani, ndokubva vasungirira vanakomana gumi vaHamani. VaJudha vaiva muShushani vakaungana pamwe chete pazuva regumi namana romwedzi waAdhari, uye vakauraya mazana matatu avarume muShushani, asi havana kubata zvakapambwa. Zvichakadaro, vakasara vavaJudha vaiva munyika yamambo vakaunganawo kuti vazvidzivirire uye kuti vanunurwe kubva kuvavengi vavo. Vakauraya zviuru makumi manomwe nezvishanu asi havana kubata zvakapambwa. Izvi zvakaitika pazuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, ndokubva vazorora pazuva regumi namana, vakariita zuva ramabiko nomufaro. Kunyange zvakadaro, vaJudha vaiva muShushani vakanga vaungana pazuva regumi namatatu, neregumi namana, uyezve nezuva regumi namashanu, vakazorora ndokuriita zuva ramabiko nomufaro. Ndokusaka vaJudha vomumaruwa, vanogara mumisha, vachicherechedza zuva regumi namana romwedzi waAdhari sezuva romufaro namabiko, zuva rokupana zvipo. Modhekai akanyora zvakaitika izvi, ndokutuma matsamba kuvaJudha vose vaiva munyika yose yaMambo Zekisesi, vaiva pedyo nevaiva kure, achivaudza kuti vapemberere gore negore zuva regumi namana neregumi namashanu romwedzi waAdhari, senguva yakawanikwa rusununguko navaJudha kubva kuvavengi vavo, uye somwedzi uyo kusuruvara kwavo kwakashandurwa kukava mufaro, uye kuchema kwavo kukashandurwa kukava zuva rokupembera. Akavanyorera kuti vacherechedze mazuva aya samazuva amabiko nomufaro vachipana zvipo zvezvokudya, mumwe nomumwe, uyewo nokuvarombo. Naizvozvo vaJudha vakabvumirana kuita zvavakanga vatanga, nokuita zvavakanga vanyorerwa naModhekai. Nokuti Hamani mwanakomana waHamadhata, muAgagi, muvengi wavaJudha vose, akanga aronga kuparadza vaJudha uye akanga akanda puri, ndiwo mujenya, kuti vaparadzwe nokupedzwa zvachose. Asi zano iri rakati rasvika munzeve dzamambo, akanyora achirayira kuti zano rakaipa iri rakanga rarongwa naHamani rokurwisa vaJudha ridzokere pamusoro pake iye uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda. (Naizvozvo mazuva aya akadaidzwa kuti Purimu, kubva pavara rokuti puri.) Nokuda kwezvakanyorwa zvose mutsamba uye nokuda kwezvavakanga vaona, nezvakaitika kwavari, vaJudha vakasarudza kusimbisa tsika yokuti ivo navana vavo navose vaizobatana navo vaifanira kucherechedza mazuva maviri aya gore negore vasingatongoregi, sezvazvakanga zvakanyorwa uye nenguva dzakatarwa. Mazuva aya anofanira kurangarirwa nokucherechedzwa murudzi rumwe norumwe uye nemhuri imwe neimwe, uye nomunyika imwe neimwe nomuguta rimwe nerimwe. Uye mazuva aya ePurimu haafaniri kutongoregwa kupembererwa navaJudha, uye kurangarirwa kwawo hakufaniri kuparara pakati pavana vavo. Saka vaHosi Esteri, mwanasikana waAbhihairi, pamwe chete naModhekai muJudha, vakanyora nesimba rizere vachisimbisa tsamba iyi yechipiri maererano nePurimu. Uye Modhekai akatumira tsamba kuvaJudha vose vaiva munyika zana namakumi maviri nenomwe dzoumambo hwaZekisesi, mashoko orugare nezvokwadi, kuti asimbise mazuva aya ePurimu panguva dzaakatsaurirwa, sokurayirwa kwazvakaitwa naModhekai muJudha navaHosi Esteri, uye sezvavakanga vazvimisira ivo navana vavo munguva dzavo dzokutsanya nokuchema. Chirevo chaEsteri chakasimbisa mitemo yePurimu, uye chakanyorwa mubhuku. Mambo Zekisesi akadzika mutemo munyika yose, kusvika kumahombekombe egungwa. Uye mabasa ake ose esimba noukuru nerondedzero youkuru hwaModhekai hwaakanga asimudzirwa namambo, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eMedhia nePezhia? Modhekai muJudha aiva wechipiri kubva kuna Mambo Zekisesi, mukuru pakati pavaJudha, uye airemekedzwa zvikuru noruzhinji rwehama dzake dzechiJudha, nokuti akatsvakira vanhu vake zvakanaka uye akakumbirira vaJudha vose kuti vagare zvakanaka. Munyika yeUzi maiva nomumwe murume ainzi Jobho. Murume uyu akanga asina chaangapomerwa uye akarurama; aitya Mwari uye ainzvenga zvakaipa. Akanga ana vanakomana vanomwe navanasikana vatatu, uye akanga ana makwai zviuru zvinomwe, ngamera zviuru zvitatu, nenzombe dzairingana majoko mazana mashanu, uye mazana mashanu embongoro hadzi, navaranda vakawanda kwazvo. Akanga ari munhu mukuru kuna vose pakati pavanhu vokumabvazuva. Vanakomana vake vaisiita madzoro okuita mutambo mudzimba dzavo, uye vaikokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa pamwe chete navo. Nguva yomutambo yapera, Jobho aituma nhume kundovadana kuti vazonatswa. Aimuka mangwanani-ngwanani achivabayira chipiriso chinopiswa, mumwe nomumwe wavo achiti, “Zvichida vana vangu vakatadza uye vakatuka Mwari mumwoyo yavo.” Aya ndiwo aiva maitiro aJobho nguva dzose. Zvino rimwe zuva vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, naSataniwo akasvika pamwe chete navo. Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwira nokudzika mairi.” Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira muranda wangu Jobho here? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa.” Satani akati, “Ko, Jobho anongotya Mwari pasina here? Ko, hamuna kumupoteredza noruzhowa iye neimba yake nezvose zvaanazvo here? Makaropafadza basa ramaoko ake, uye pfuma yakatekeshera munyika yose. Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu murove zvose zvaanazvo, zvirokwazvo achakutukai pachena.” Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, zvose zvaanazvo zviri mumaoko ako, asi iye usamubata.” Ipapo Satani akabva pamberi paJehovha. Rimwe zuva vanakomana vaJobho navanasikana vake vakati vachidya nokunwa waini vari paimba yomukoma wavo mukuru, nhume yakasvika kuna Jobho ikati, “Nzombe dzanga dzichirima uye mbongoro dzanga dzichifura nechapedo, vaSebhia vakarwisa vakazvitora vakaenda nazvo. Vauraya varanda nomunondo ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa makwai navaranda, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “VaKaradhea vaita mapoka matatu okupamba vakatora ngamera dzenyu vakaenda nadzo. Vauraya varanda venyu nomunondo, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” Achiri kutaura kudaro, imwezve nhume yakasvika ikati, “Vanakomana venyu navanasikana venyu vanga vachidya nokunwa waini vari mumba momukoma wavo mukuru, pakarepo mhepo huru yavhuvhuta ichibva kugwenga ikarova makona mana eimba. Yawira pamusoro pavo uye vafa, uye ini ndoga ndini ndasara kuti ndizokuzivisai!” Ipapo Jobho akasimuka ndokubvarura nguo dzake akaveura musoro wake. Ipapo akawira pasi akanamata achiti: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndiri mushwi, uye ndichadzokera ndiri mushwi. Jehovha akapa uye Jehovha akatora, Zita raJehovha ngarirumbidzwe.” Pazvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza kana kupa Mwari mhosva. Rimwe zuvazve vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, uye Satani akasvika pamwe chete navo kuti andomirawo pamberi pake. Zvino Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwira nokudzika mairi.” Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira here muranda wangu Jobho? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa. Uye anoramba amire pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira pamusoro pake kuti ndimuparadze pasina chikonzero.” Satani akapindura achiti, “Ganda neganda! Munhu angapa zvose zvaanazvo nokuda kwoupenyu hwake. Asi tambanudzai ruoko murove muviri wake namapfupa ake, uye zvirokwazvo achakutukai pachena.” Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, ari mumaoko ako, asi haufaniri kubata upenyu hwake.” Saka Satani akabva pamberi paJehovha akandorova Jobho namaronda anorwadza kubva pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake. Ipapo Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho paakanga agere pakati pamadota. Mukadzi wake akati, “Ucharambira pakururama kwako kusvikira riniko? Tuka Mwari ufe!” Iye akapindura akati, “Iwe unotaura somukadzi benzi. Ko, tichagamuchira zvakanaka kubva kuna Mwari, tikashayiwa zvakaipa here?” Pazvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza pane zvaakataura. Shamwari nhatu dzaJobho, Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamati dzakati dzanzwa pamusoro pokutambudzika kwakanga kwawira pamusoro pake, vakabva kumisha yavo vakaungana pamwe chete vatenderana kuti vaende kundomudemba nokumunyaradza. Vakati vamuona ari chinambo, havana kugona kumuziva, vakatanga kuchema zvikuru, uye vakabvarura nguo dzavo uye vakazvimwaya guruva pamisoro yavo. Ipapo vakagara pasi naye kwamazuva manomwe nousiku hunomwe. Hakuna munhu akagona kutaura kana shoko kwaari, nokuti vakaona kukura kwokutambudzika kwake. Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake. Akati: “Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’ Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro. Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza charo. Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo. Usiku uhwo ngahushaye zvibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri. Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa. Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza; nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu. “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu? Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe? Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino, navatongi vakanga vane goridhe, vakazadza dzimba dzavo nesirivha. Kana kuti sei ndisina kuvigwa muvhu somwana asina kusvika, somucheche asina kumboona chiedza chezuva? Ikoko vakaipa vanorega kutambudza, uye ikoko vakaneta vakazorora. Nhapwa dzinofariravo rugare rwadzo; havachanzwizve kudanidzira kwomutyairi wenhapwa. Vaduku navakuru variko, uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo. “Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa, uye upenyu kune ane shungu pamwoyo, kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi, vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika, vazere nomufaro uye vanofara pavanosvika muguva? Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa? Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya, kugomera kwangu kunodururwa semvura. Zvandaitya zvakandivinga; zvandaizeza zvaitika kwandiri. Handina rugare, handina runyararo; handina zororo, asi nhamo chete.” Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti: “Kana mumwe munhu akava neshoko newe, iwe uchashayiwa mwoyo murefu here? Asi ndiani angarega kutaura? Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei, uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba. Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa; wakasimbisa mabvi akaneta. Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo; inokurova, iwe ndokuvhunduka. Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako, uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here? “Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa? Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama? Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa. Vanoparadzwa nokufema kwaMwari; vanoparara nokuputika kwehasha dzake. Shumba dzingaomba nokunguruma, nyamba meno eshumba huru akaguduka. Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama, uye vana veshumbakadzi vanopararira. “Shoko rakauyiswa kwandiri muchivande, nzeve dzangu dzakanzwa zevezeve raro. Pakati pokurota hope dzinovhundutsa usiku, hope huru padzinenge dzabata vanhu, kutya nokudedera zvakandibata zvikaita kuti mapfupa angu ose abvunde. Mweya wakapfuura pamberi pechiso changu, uye vhudzi romusoro wangu rikamira. Wakamira, asi ndakatadza kuziva kuti chaiva chii. Chinhu chakamira pamberi pameso angu, uye ndakanzwa inzwi rakanyarara richiti: “Ko, munhu anofa, angava akarurama kupfuura Mwari here? Ko, munhu angagona kuchena kukunda Muiti wake here? Kana Mwari akasavimba navaranda vake, kana akakanganisa kutonga vatumwa vake, zvikuru sei kuna avo vanogara mudzimba dzevhu, nheyo dzavo dziri muguruva, dzinopwanyiwa nyore kupfuura chipfukuto! Dzinoputsanyiwa pakati pamambakwedza namadekwana; dzinoparara dzisingazoonekwi nokusingaperi. Ko, mabote etende ravo haana kubviswa here kuti vagofa vasina njere? “Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira? Uchadzokera kuno upiko wavatsvene? Kutsamwa kunouraya benzi, uye godo rinouraya asina mano. Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi, asi pakarepo imba yake yakatukwa. Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira. Vane nzara vanodya zvaakacheka, vachizvitora kunyange pakati peminzwa, uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake. Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu, uye nhamo haimeri muvhu. Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro. “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake. Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa. Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika. Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kurugare. Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina. Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa. Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku. Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba. Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wayo. “Akaropafadzwa munhu anorangwa naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose. Nokuti anokuvadza, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve. Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira. Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo. Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza. Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika. Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe. Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana. Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji, uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika. Uchasvika paguva une simba guru, sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo. “Takazviedza izvi, uye ichokwadi. Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.” Ipapo Jobho akapindura akati: “Dai chete kurwadziwa kwangu kwaigona kuyerwa uye kusuwa kwangu kwaiiswa pachiyero! Zvirokwazvo zvairema kupfuura jecha ramakungwa, hazvishamisi kana mashoko angu aiva okuvhurumuka. Miseve yoWamasimba Ose iri mandiri, mweya wangu unonwa muchetura wayo; kutyisa kwaMwari kwagadzirira kurwa neni. Ko, mbizi ingachema kana ine bundo here? Ko, nzombe inokuma kana ine zvokudya here? Ko, chokudya chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here? Ko, chichena chezai chinonaka here? Ndinoramba kuzvibata; zvokudya zvakadai zvinondirwarisa. “Haiwa, dai ndapiwa hangu zvandinokumbira kuti Mwari andipe zvandinotarisira, kuti dai Mwari aida hake kundipwanya, kuti aregere ruoko rwake rundiuraye! Ipapo ndaizova hangu nokunyaradzwa uku, mufaro wangu mukurwadziwa kusingagumi, kuti handina kunge ndamboramba mashoko aiye Mutsvene. “Ndinaro here simba, rokuti ndirambe ndine tariro? Tariro yacho ndeyeiko kuti nditsungirire? Ko, ndine simba rebwe here? Ko, nyama yangu indarira here? Ko, ndine simba ripi zvaro kuti ndizvibatsire, sezvo zvino kubudirira kwakabviswa kwandiri? “Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake, kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose. Asi hama dzangu hadzivimbike sezvinongoita hova dzava kudira. Sezvinongoita hova dzopfachukira, dzinosviba pakunyungudika kwamagwada echando, uye dzinozadzwa nechando, asi dzinoguma kuyerera mumwaka wokupisa, uye mihoronga yadzo inopwa mukupisa. Vafambi vanotsauka munzira dzavo; vanoenda kumakura ndokuparara. Vafambi veTema vanotsvaka mvura, vashambadziri veShebha vanomirira netariro. Vakanyadziswa, nokuti vaivimba nesimba ravo; vakasvikapo, ndokuora mwoyo. Zvino nemiwo maratidza kusabatsira; munoti mukaona chinhu chinotyisa mobva matya. Ko, ndakamboti, ‘Ndipeiwo chipo, ndipei fufuro rinobva papfuma yenyu, ndirwirei muruoko rwomuvengi, ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here? “Ndidzidzisei, uye ndichanyarara hangu; ndiratidzei pandakakanganisa. Mashoko echokwadi anorwadza sei! Asi gakava renyu rinoratidzeiko? Munoda kutsiura zvandareva, nokutora mashoko omunhu arasa tariro semhepo here? Muchada kana kukanda mijenya pamusoro penherera nokutengesa shamwari yenyu. “Asi zvino chinditarirai netsitsi. Ko, ndingareva nhema pamberi penyu here? Musadaro, musava vasakarurama; fungai zvakare, nokuti kururama kwangu kwava parumananzombe. Ko, pamiromo yangu pane zvakaipa here? Ko, muromo wangu haugoni kunzvera zvakaipa here? “Ko, munhu haabati zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita soomushandi here? Senhapwa inoshuva mimvuri yamadekwana, kana mubati akamirira kwazvo mubayiro wake, saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri. Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshandukashanduka kusvikira mambakwedza. Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemhezi, ganda rangu rakatsemuka uye raora. “Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro. Rangarirai henyu, imi Mwari kuti upenyu hwangu hunongova mweya zvawo; meso angu haachazoonizve mufaro. Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve. Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburikira kubwiro haadzokizve. Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve. “Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu, Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi? Pandinofunga, mubhedha wangu unondivaraidza, uye mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu, kunyange zvino imi muchindityisidzira nezviroto nokundivhundutsa nezviratidzo, zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno. Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva. “Munhu chiiko zvamunomukudza kudai, zvamunomurangarira zvakadai, zvamunomunzvera mangwanani ose nokumuedza nguva dzose? Hamusi kuzombotarirawo kudivi here, kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva? Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here? Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu nokundiregerera zvivi zvangu? Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza. Muchanditsvaka, asi handichazovipozve.” Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta. Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? Vana vako pavakamutadzira, akavapa kurangwa kwechivi chavo. Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose, kana uri mutsvene uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo. Kunyange mavambo ako akanga ari maduku, magumo ako achava makuru. “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo, nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri. Ko, havangakudzidzisi nokukuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here? Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here? Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa. Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara. Zvaanovimba nazvo hazvina simba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande. Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri. Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu; unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo. Asi kana ukatsemuka ukabva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’ Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu. “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka kana kusimbisa maoko avaiti vezvakaipa. Iye achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza. Vavengi vako vachashongedzwa nenyadzi, uye matende avakaipa haachazovapozve.” Ipapo Jobho akapindura akati: “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko? Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete panguva ine chiuru. Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga? Anobvisa makomo iwo asingazivi ndokuapidigura pakutsamwa kwake kukuru. Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke. Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi. Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa. Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni nedzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi. Anoita minana isingagoni kuyerwa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa. Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni. Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’ Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rikawira patsoka dzake. “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye? Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu. Kunyange dai ndikamudana hangu uye iye akandipindura, handitendi kuti aizonditeerera. Aizondipwanya nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva. Haaizonditenderazve kuti ndiwane upenyu, asi aizondizadza namatambudziko. Kana zviri zvesimba, iye ane simba! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge? Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka. “Kunyange ndakarurama, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu. Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vakarurama navakaipa.’ Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva. Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko? “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka asina kumboona mufaro. Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo. Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, nokunyemwerera kwangu,’ ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva. Sezvo ndakatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina? Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda, imi muchandinyudza mugomba renhope zvokuti nenguo dzangu dzichandisema. “Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva. Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose, mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve. Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi. “Ndinosema upenyu hwangu chaihwo, naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu ndigotaura neshungu dzomwoyo wangu. Ndichati kuna Mwari: Musandipa mhosva asi mundiudze mhaka yangu nemi. Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here? Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here? Ko, mazuva enyu akaita saavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu, kuti munzvere mhosva dzangu nokuongorora chivi changu, kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here? “Maoko enyu akandiumba nokundiita. Ko, zvino modzoka kuzondiparadza here? Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Ko, zvino mondidzoserazve kuvhu here? Ko, hamuna kundidurura somukaka here nokundigwambisa sechizi, mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here? Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni, uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu. “Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu, uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu. Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa, uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa. Kana ndine mhosva, ndine nhamo! Kunyange dai ndisina mhosva, handingasimudzi musoro wangu, nokuti ndizere nenyadzi uye ndakanyura mukutambudzika kwangu. Kana ndikazvikudza, imi munondironda sezvinoita shumba, uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu. Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu, hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka. Ko, zvino makandibudisirei mudumbu? Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona. Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu, kana kutakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu! Ko, mazuva angu haasi ava mashoma kutopera here? Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva, ndisati ndaenda kusingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri worufu, kunyika yerima guru, yomumvuri mukuru worufu nenyonganyonga, iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.” Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati: “Mashoko aya ose haangapindurwi here? Ko, mutauri uyu anofanira kururamisirwa here? Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchihomera here? Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama uye ndakachena pamberi penyu.’ Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura, kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako, uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri, nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako. “Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here? Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko? Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika uye zvakapamhamha kupfuura gungwa. “Kana iye akasvika akakupfigira mujeri uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye? Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera; uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here? Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara kupfuura kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu. “Asi kana mwoyo wako ukanamatira kwaari, uye iwe ukatambanudzira maoko ako kwaari, kana ukaisa kure zvivi zviri muruoko rwako, uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako, ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi, uchamira wakasimba uye usingatyi. Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakapfuura. Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani. Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharingaringa ugozorora murugare. Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa, uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako. Asi meso avakaipa achaneta, uye vachashayiwa pokuvanda; tariro yavo ichava yokufa.” Ipapo Jobho akapindura akati: “Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye kungwara kuchafa nemi! Asi neni ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi? “Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa! Vanhu vagere zvakanaka vanoshora vane nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka. Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura vamwari vavo mumaoko avo. “Asi bvunzai mhuka, uye dzichakudzidzisai, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudzai; kana taurai kunyika, ichakudzidzisai, kana hove dzegungwa ngadzikuzivisei. Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi? Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose. Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here? Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here? “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; mano nokunzwisisa ndezvake. Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; munhu waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi. Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa. Simba nokukunda ndezvake; akanyengerwa nomunyengeri vose ndevake. Anodzinga makurukota asina nguo nokuita kuti vatongi vave mapenzi. Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo ndokusunga zviuno zvavo nomucheka. Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi. Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru. Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba. Iye anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza. Iye anokurisa ndudzi, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, anodziparadzira. Anotorera vatungamiriri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira. Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa. “Meso angu akaona izvi zvose, nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa. Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva handisi muduku kwamuri. Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose nokuzvidavirira mhaka yangu kuna Mwari. Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose! Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu! Nokuti kungava kungwara kwamuri. Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu; teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu. Ko, mungataura, zvakaipa pachinzvimbo chaMwari here? Ko, mungataura zvinonyengera nokuda kwake here? Mungamuitira rusaruro here? Mungarwira Mwari here? Ko, zvingava zvakanaka here kana akakuedzai? Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here? Zvirokwazvo iye angakutsiurai kana mukaratidza rusaruro muchivande. Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here? Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here? Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota; nhare dzenyu inhare dzevhu. “Nyararai uye regai nditaure; ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho. Ko, ndinozviisirei mungozi ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu? Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye, zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake. Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asingatendi Mwari achasvika pamberi pake! Teereresai kumashoko angu, nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva. Zvino ndagadzirisa mhaka yangu, ndinoziva kuti ndicharuramisirwa. Pana angagona kundipa mhaka here? Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu, “Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu. Bvisai ruoko rwenyu kure neni, uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu. Ipapo mugondidana ndigodavira. Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura. Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko? Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu. Munovanzireiko chiso chenyu muchindiita muvengi wenyu? Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here? Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here? Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu, uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu. Munosunga tsoka dzangu nezvisungo; munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu. “Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora, senguo yakadyiwa nezvipfukuto. “Munhu akazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma azere nokutambudzika. Anobuda seruva agosvava; anotiza somumvuri, haagari. Ko, munotarira nameso enyu kumunhu wakadai here? Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here? Ndianiko angabudisa chinhu chakanaka kubva pane chakaipa? Hakuna! Mazuva omunhu akatarwa; makatema kuwanda kwemwedzi yake, mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika. Naizvozvo regai kumutarisa uye musiye ari oga, kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda. “Asi kumuti kune tariro: Kana ukatemwa, unobukirazve, uye mabukira awo matsva haasvavi. Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu nehunde yawo yafa muvhu, asi uchabukira pakunhuwira kwemvura ugobudisa matavi somuti uchangomera. Asi munhu anofa agoradzikwa pasi; anofema kokupedzisira uye haazovipozve. Sokupera kunoita mvura mugungwa, kana kupwa nokuoma kworwizi, saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki; kusvikira matenga asisikozve, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo. “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira! Kana munhu akafa, angazoraramazve here? Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma, ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika. Muchadana uye ini ndichakupindurai; muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu. Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo, asi musingarondi chivi changu. Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga; muchafukidzira chivi changu. “Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka, uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro, semvura inochera mabwe, uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu, saizvozvo munoparadza tariro yomunhu. Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo; munoshandura chiso chake mobva mamudzinga. Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi; kana vakamuninipisa, iye haazvioni. Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete, agozvichema iye pachake bedzi.” Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati: “Ko, munhu akangwara angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva? Ko, angakakavara namashoko asina maturo, nokutaura mashoko asina basa here? Asi munotorwisa kururuma uye munodzivisa kunamata Mwari. Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri. Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa. “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here? Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi? Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu? Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako. Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iwo mashoko manyoro akataurwa kwauri? Ko, mwoyo wako wakurasireiko. uye meso ako, anobwairireiko, zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako? “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti ave akarurama? Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake, ko, kuzoti munhu, anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura! “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona, zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo, ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo: Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye. Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, udyi hunomurwisa. Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa. Anofamba-famba achitsvaka zvokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera. Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo amirira kurwisa, nokuti anokungira Mwari chibhakera chake nokuzvikudza pamusoro paWamasimba Ose, achimhanyira kwaari achimuzvidza ane nhoo hobvu, yakasimba. “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama, iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara. Haachazovizve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika. Haangapunyuki rima; murazvo uchasvavisa mabukira ake, uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure. Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo, nokuti haana chaachawana pakupedzisira. Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika, uye matavi ake haangawandi. Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva, kufanana nomuti womuorivhi wotunga maruva awo. Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko, uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro. Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa; dumbu ravo rinogadzira kunyengera.” Ipapo Jobho akapindura akati: “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina! Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo? Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri panzvimbo yangu; Ndaigona kutaura mashoko okukupikisai nokukudzungudzirai musoro wangu. Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo. “Asi kana ndikatura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikataura, iko hakubvi. Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose. Makandisunga ini, uye zvava chapupu; kuonda kunondimukira uye kunondipupurira zvakaipa. Mwari anondirova nokundibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya. Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa. Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata. Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira; vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi. Nguva nenguva anondirwisa; anomhanyira kwandiri somurwi. “Ndasonera ganda rangu nguo dzamasaga, uye ndaviga huma yangu muguruva. Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu; asi zvazvo maoko angu haadi kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena. “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo! Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro. Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari; anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake. “Makore mashoma bedzi achapfuura, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi. Mweya wangu waputsika, mazuva angu aitwa mashoma, guva rakandimirira. Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza; meso angu anofanira kuramba akatarisa kutsamwa kwavo. “Ndipei, imi Mwari chitsidzo chamunoda. Ndianiko achandiisira rubatso? Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa; naizvozvo hamungavatenderi kukunda. Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro, meso avana vake achaneta. “Mwari akandiita shumo kuvanhu vose, munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu. Meso angu aneta nokuchema; muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo. Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo; vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari. Kunyange zvakadaro, vakarurama vachabatirira panzira dzavo, uye vana maoko akachena vachanyanya kusimba. “Asi uyai, imi mose, edzaizve! Handingawani munhu akangwara pakati penyu. Mazuva angu apfuura, urongwa hwangu hwaparadzwa, saizvozvowo zvishuvo zvomwoyo wangu. Vanhu ava vanoshandura usiku kuti huve masikati; mukati merima ivo vanoti, ‘Chiedza chiri pedyo.’ Kana musha wandinotarisira uri guva chete, kana ndikawaridzira mubhedha wangu murima, kana ndikati kukuora, ‘Ndiwe baba vangu,’ nokuhonye ndikati, ‘Ndiwe mai vangu’ kana ‘Hanzvadzi yangu,’ ko, tariro yangu iripi zvino? Ndianiko angandionera tariro yangu? Ichaburukira kumasuo orufu here? Tichaburukira muguruva pamwe chete here?” Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: “Muchapedza kutaura uku riiniko? Chimbofungai, ipapo tigotaurirana hedu. Tinotorerweiko semombe nokurangarirwa samapenzi pamberi penyu? Iyemi munozvibvamburanya mukutsamwa kwenyu, ko, nyika ingasiyiwa nokuda kwenyu here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here? “Mwenje wavakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa. Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi rwake unodzima. Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi. Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, uye anodzungaira ari mumaburi awo. Musungo unomubata chitsitsinho; rugombe runomubatisisa. Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake; musungo wakaradzikwa munzira yake. Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose, uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose. Pfumvu inomudokwairira; njodzi yakamugaririra paanowa. Inodya zvikamu zveganda rake; dangwe rorufu rinopedza mitezo yake. Anodzurwa kubva patende raanovimba naro agoendeswa kuna mambo anotyisa. Moto unogara mutende rake; safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake. Moto unogara mutende rake; uye matavi ake anosvava kumusoro. Kurangarirwa kwake kunopera panyika; haana zita munyika. Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, uye anodzingwa panyika. Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, hakuna akasara kwaaimbogara. Vanhu vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; vanhu vokumabvazuva vakabatwa nokutya. Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomunhu akaipa; iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.” Ipapo Jobho akapindura akati: “Mucharamba muchinditambudza nokundipwanya namashoko kusvikira riiniko? Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose. Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchagara neni ndoga. Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuripiswa kuri pamusoro pangu, zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akakundikomberedza nomumbure wake. “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo. Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu. Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu. Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti, Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake. Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu. “Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose. Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa. Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa. Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamunyengetedza nomuromo wangu chaiwo. Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo. Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka. Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira. Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda; ndangopunyuka namatadza amazino angu chete. “Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova. Munonditeverereiko sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here? “Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo pabhuku, dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana ainyorwa padombo nokusingaperi! Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika. Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu; ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu! “Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’ munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.” Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati: “Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure nokuti ndakanganisika kwazvo. Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza, uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure. “Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare, kubvira pakaiswa munhu panyika, kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku. Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, uye musoro wake uchindobata makore, achaparara nokusingaperi, sendove yake pachake; vaya vakamuona vachati, ‘Aripiko?’ Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve, adzingwa sechiratidzo chousiku. Ziso rakamuona harichazomuonizve; nzvimbo yake haichazomutsvakizve. Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo; maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake. Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva. “Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa, uye achichiviga pasi porurimi rwake, kunyange asingagoni kuchiregedza achichichengeta mumukanwa make, asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make; chichava uturu hwenyika mukati make. Achapfira upfumi hwaakamedza; Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse. Achasveta uturu hwenyoka; rurimi rwemvumbi ruchamuuraya. Haangafadzwi nehova, idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba. Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa; haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake. Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena; akatora dzimba dzaasina kuvaka. “Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake; haangazviponesi nepfuma yake. Hapana chaakasiyirwa kuti adye; upfumi hwake hahungagari nokusingaperi. Pakati pezvakawanda zvake, nhamo ichamukunda; kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake. Paanenge agutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake, uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake. Kunyange akatiza chombo chesimbi, museve unopinza wendarira unomubaya. Anoutumbura kubva kumusana kwake, muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake. Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake; rima guru richavandira pfuma yake. Moto usina kupfutidzwa uchamuparadza uye uchapedza zvakasara mutende rake. Matenga achaisa pachena kuipa kwake; nyika ichamumukira. Mafashamu achakukura imba yake, mvura zhinji inoerera pazuva rehasha dzaMwari. Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.” Ipapo Jobho akapindura akati: “Teereresai mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwamunondipa. Ndiitirei mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, murambe muchiseka henyu. “Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana navanhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo? Nditarirei mushamiswe; mufumbire muromo wenyu noruoko. Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu. Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba? Vanoona vana vavo vachisimbiswa vari pavari, navazukuru vavo pamberi pavo. Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya; shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo. Hando dzavo hadzikonewi kubereka, mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi. Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai; vapwere vavo vanopembera vachitamba. Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira; vanofarira kurira kwenyere. Vanopedza makore avo mukubudirira uye vanopinda muguva murugare. Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu. Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire? Tinowaneiko kana tikamunamata?’ Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo, naizvozvo ndinomira kure nerangano yavakaipa. “Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wavakaipa? Vanowirwa nenjodzi kanganiko? Vanofanana namakoto anopepereswa nemhepo runganiko, sehundi inokukurwa nedutu? Zvinonzi, “Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.” Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva! Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake; iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose. Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure, mwedzi yaakagoverwa zvoyopera? “Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari, sezvo iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro here? Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere, akanyatsogadzikana mapfupa ake azere nomwongo. Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo, asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka. Vanovata muguruva pamwe chete, uye honye dzinovafukidza vose. “Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amunondikanganisa nawo. Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’ Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nokuzvidavirira kwavo here, zvokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa? Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko ano muripira pane zvaakaita? Iye anotakurwa achiendeswa kuguva, uye rinda rake rinorindwa. Ivhu romumupata rinotapira kwaari; vanhu vose vanomutevera, uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki. “Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo? Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!” Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati: “Ko, munhu angabatsira Mwari here? Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama? Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama? “Imhaka yokumutya kwako here zvaanokutsiura nokukupa mhosva? Zvakaipa zvako hazvina kukura here? Handiti zvivi zvako hazviperi? Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka. Wakanyima mvura vasina simba uye wakanyima vane nzara zvokudya, kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane nyika yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi. Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna maoko enherera. Ndokusaka misungo yakakukomberedza, sei kutambudzika pakarepo kuchivhundutsa, sei kuine rima usingakwanisi kuona, uye sei mafashamu emvura achikufukidza. “Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here? Uye anoona kukurira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro! Asi imi munoti, “Mwari anoziveiko? Ko, anotonga pakati perima rakadai here? Makore matema anomufukidza, saka haationi sezvaanofamba-famba pakutenderera kwedenga. Ko, iwe ucharambira munzira yakare iya yakatsikwa navanhu vakaipa here? Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika, hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu. Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’ Asi ndiye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka, saka ndinomira kure namano avakaipa. “Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara, vasina mhaka vanovaseka vachiti, ‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa, uye moto unopedza pfuma yavo.’ “Zviise pasi paMwari ugova norugare naye, nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri. Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make uye uise mashoko ake pamwoyo wako. Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchavandudzwa: Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako, uye ukaisa goridhe rako paguruva, iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi, ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako, iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa. Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari. Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa, uye iwe uchazadzisa zvawakapika. Zvaunofunga zvichaitwa, uye chiedza chichavhenekera panzira dzako. Vanhu pavanodzikiswa imi mugoti, ‘Vasimudzei!’ ipapo achaponesa vakaraswa. Iye achadzikinura kunyange iye zvake ane mhosva, iye acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.” Ipapo Jobho akapindura akati: “Kunyange nanhasi ndonyunyuta ndine shungu; ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu. Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara! Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo. Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva. Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, haaizondipomera mhaka. Ipapo munhu akarurama aigona kuzotura mhaka yake pamberi pake, uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi. “Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako; kana ndikaenda kumavirira, handimuwani. Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni; paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona. Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo; tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika; ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi. Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakachengetedza mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose. “Asi iye anomira ega, uye ndiani angapikisana naye? Iye anoita zvaanoda. Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake. Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya. Mwari akaita kuti mwoyo wangu uziye; Wamasimba Ose akandivhundutsa. Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, rima guru rakafukidza chiso changu. “Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga? Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina? Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu; vanofudza makwai avakaba. Vanotinha mbongoro dzenherera, uye vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso. Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira, uye vanomanikidza varombo vose venyika kundovanda. Sezvinoita mbizi murenje, varombo vanobuda vachienda kumabasa avo, okukwara-kwara zvokudya; chirasiro chamarara chinopa vana vavo zvokudya. Vanosunganidza uswa mumasango, uye vanononga mazambiringa muminda yavakaipa. Vanovata usiku hwose vasina zvavakapfeka uye vanoshayiwa zvokufuka muchando. Vanonyorovedzwa nemvura inonaya mumakomo, uye vanombundikira matombo nokuda kwokushayiwa pokugara. Mwana nherera anobvutwa kubva pazamu; mwana mucheche womurombo anotorwa nokuda kwechikwereti. Nokushayiwa zvokufuka, vanongofamba-famba havo vasina kupfeka; vanotakura zvisote, asi vane nzara. Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga; vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vanofa nenyota. Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta, uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe. Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva. “Varipo vanomukira chiedza, vasingambozivi nzira dzacho kana kugara mumakwara acho. Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa; panguva dzousiku anonyahwaira sembavha. Ziso remhombwe rinomirira rubvunza vaeni; anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’ uye anogara akavanza chiso chake. Vanhu vanopaza dzimba murima, asi masikati vanozvipfigira mukati madzo; havana chokuita nechiedza. Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo; vanoita ushamwari nokutyisa kwerima. “Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura; mugove wavo wenyika wakatukwa, zvokuti hakuna munhu achaenda kuminda yemizambiringa. Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyauka, saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza. Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya; vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti. Ivo vanodya nyama yomukadzi asingabereki, uye havaitiri chirikadzi tsitsi. Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo. Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo. Vanokudzwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda; vanodukupiswa ndokuunganidzwa savamwe vose, vanochekwa sehura dzezviyo. Kana zvisina kudaro, ndiani anganditi ndinoreva nhema, agoshayisa mashoko angu simba?” Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: “Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari; uye anosimbisa rugare kumusorosoro kudenga. Mauto ake angaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake? Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei? Kunyange dai mwedzi ukasachena, uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake, ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro, iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!” Ipapo Jobho akapindura akati: “Iwe wakavabatsira sei vasina simba! Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika! Izanoiko rawakapa asina uchenjeri! Uye wakaratidza njere dzakakura sei! Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya? Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako? “Vakafa vari pakurwadziwa kukuru, ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi. Rufu rwakashama pamberi paMwari; kuparadza hakuna kufukidza. Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu; anorembedza nyika pasina chinhu. Anoputira mvura zhinji mumakore ake; asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa. Anofukidza chiso chomwedzi uzere, achiwarira makore ake pamusoro pawo. Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji, kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima. Mbiri dzokudenga dzinodengenyeka, dzichivhunduswa nokutuka kwake. Akabvongodza gungwa nesimba rake; akagura-gura Rahabhi nenjere dzake. Matenga akashongedzwa nokufema kwake; ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka. Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake; haiwa tinonzwa kuzevezera kwake seiko! Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?” Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti: “Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu, sezvo ndichine upenyu mandiri, iko kufema kwaMwari mumhino dzangu, miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera. Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu. Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi; hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu. “Vavengi vangu ngavaite savakaipa, navadzivisi vangu savasakarurama! Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa, Mwari paanotora upenyu hwake? Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake paanowirwa nenhamo here? Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here? Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here? “Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari; nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi. Imi mose makazviona izvi pachenyu. Zvino munotaurireiko zvisina maturo? “Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose. Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo; vazukuru vake havazombowani zvokudya zvinovaringana. Denda richaviga vaya vanenge vasara, uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi. Kunyange akaunganidza sirivha seguruva, uye zvokufuka zvikaita somurwi wevhu, zvaanowana zvichafukwa navakarurama, uye vasina mhaka vachigovana sirivha yake. Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto, sechirindo chakaitwa nomurindi. Anovata pasi akapfuma, asi haachazvipamhizve; paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda. Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu; dutu rinomubvutira kure panguva yousiku. Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, zvino aenda hake. Inomukukura kubva panzvimbo yake. Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni, paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo. Inomuomberera maoko ichimuseka, ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake. “Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe. Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura. Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo. Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku. Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa, safiri inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe, Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona. Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo, uye hakuna shumba inofambapo. Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara nokuisa midzi yamakomo pachena. Anochera mugero nomumatombo; meso ake anoona pfuma yawo yose. Anotsvakisisa panotangira nzizi nokubudisa zvinhu zvakavanzika pachena. “Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko? Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu. Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’ Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha. Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire. Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe. Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera. Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka. Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko? Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga. Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’ Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara, nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga. Paanosimbisa simba remhepo uye nokuyera mvura, paanoita chirevo chemvura negwara romutinhiro wemheni, ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza. Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ ” Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti: “Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindira naMwari, mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima! Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu, Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza, painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi. “Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara, majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka; makurukota akaramba kutaura akafumbira miromo yavo namaoko avo; manzwi amakurukota akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo. Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza, nokuti ndakarwira varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira. Munhu akanga afa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe. Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu. Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema. Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaitamba mhaka yomutorwa. Ndakavhuna meno avakaipa, uye ndakabata chaakanga abata pamazino ake. Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha. Midzi yangu ichasvika kumvura, uye dova richava pamatavi angu usiku hwose.’ Kukudzwa kwangu kucharamba kuri kutsva mandiri, uta hucharamba huri hutsva muruoko rwangu.” “Vanhu vakanditeerera vachitarisira kwazvo, vanyerere vakamirira kurayira kwangu. Shure kwokutaura kwangu, ivo havana kuzotaurazve; mashoko angu akawira panzeve dzavo zvinyoronyoro. Vakandimirira kunge vakamirira mvura yomupfunhambuya, uye vakanwa mashoko angu kunge mvura yechirimo. Pandakanyemwerera kwavari havana kuzvitenda; chiedza chechiso changu chaikosha kwavari. Ndakavasarudzira nzira ini ndokugara saishe wavo; ndakagara samambo pakati pamauto ake; ndakanga ndakaita somunhu anonyaradza vanochema. “Asi zvino vanondiseka, varume vaduku kwandiri, madzibaba avo ndaiashora zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu. Ko, simba ramaoko avo rakanga rine basa rei kwandiri, sezvo simba ravo rakanga rapera? Vaiponda nokuda kwokushayiwa uye nenzara, vakadzivaira usiku munyika yakaoma mumatongo nomunyika yakaparara. Vakaunganidza miriwo inovava kubva mumakwenzi, uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara. Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo, vachitukwa kunge vakanga vari mbavha. Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma, pakati pamatombo nomumakomba, muvhu. Vakarira pakati pamakwenzi, uye vakamanikidzana pasi porukato. Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika. “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo. Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira kumeso. Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu. Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni. Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira. Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo. Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore. “Uye zvino upenyu hwangu hwava kure kure; mazuva okutambudzika anondibata. Usiku hunobaya mapfupa angu; kurwadza kwokurumwa kwangu hakuzorori. Nesimba rake guru Mwari anobva afanana nechipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu. Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota. “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu. Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu. Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu. Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose. “Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake. Ko, handina kuchema avo vaitambura here? Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here? Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika. Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga. Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva; ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro. Ndava hama yamakava, neshamwari yamazizi. Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka; muviri wangu unopisa nefivha. Mbira dzangu dzashanduka dzikava kuchema, uye nyere yangu yava inzwi rokuungudza. “Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva. Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose? Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here? Ko, iye haaoni nzira dzangu nokuverenga nhambwe dzangu dzose here? “Kana ndichinge ndofamba nenzira yenhema kana tsoka dzangu dzamhanyira kunyengera, Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva, kana tsoka dzangu dzatsauka pagwara, kana mwoyo wangu ukatevera meso angu, kana dai maoko angu asvibiswa, ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe. “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana dai ndaivandira pamusuo wewandigere naye, ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye. Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa. Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu. “Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu, pavanoshushikana neni, ndichaita sei pandichasangana naMwari? Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire? Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanaamai vedu here? “Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta, kana ndakazvichengetera chingwa, ndisingachigoveri nherera, asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa, uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi, kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokufuka, kana munhu anoshayiwa asina nguo, uye mwoyo wake ukasandiropafadza kuti adziyirwe namakushe amakwai angu, kana ndasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva, ipapo ruoko rwangu ngaruve papfudzi rangu, ngaruvhunike napafundo. Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake. “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka, ‘Ndiwe chivimbo changu,’ kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu, kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro, kana mwedzi uchifamba mukubwinya, zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda, uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta, zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa, nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro. “Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira, handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwavo, kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’ Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha, nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi. Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu, nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu, nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji, uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri, zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze, “Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa! Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino, Wamasimba Ose ngaandipindure; muponesi wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera. Zvirokwazvo ndaimutakura pamapfudzi angu, ndairupfeka sekorana. Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe; ndaiswedera kwaari somuchinda. “Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva, uye miforo yose ikanyorova nemisodzi, kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi, kana ndakaparadza upenyu hwavanourinda, ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi, nesora pachinzvimbo chebhari.” Mashoko aJobho apera. Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake. Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari. Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva. Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka. Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva. Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’ Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa. Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka. “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; nemiwo ndichakuudzai zvandinoziva. Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko, ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake. Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’ Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri pakukakavadzana kwenyu. “Vashamiswa uye havachina rokureva; vapererwa namashoko. Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro? Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva. Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza; mukati mangu ndafanana newaini iri mubhodhoro rakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka. Ndinofanira kutaura kuti ndisununguke; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura. Handina munhu wandinofanira kutsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake; nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, muiti wangu aizokurumidza kunditora. “Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu; rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva. Ndava kuchizoshamisa muromo wangu; mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu. Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama; muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva. Mweya waMwari wakandiita; kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu. Ndipindure zvino, kana uchigona; zvigadzirire ugotarisana neni. Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari; neniwo ndakatorwa muvhu. Kutyisa kwangu hakungakuvhundutsi, uye ruoko rwangu harungakuremeri. “Asi wakati ini ndichizvinzwa, ndakanzwa mashoko acho chaiwo, ‘Ndakachena uye handina chivi; ndakanaka uye handina mhosva. Asi Mwari awana mhosva neni; anonditi muvengi wake. Anosunga makumbo angu nezvisungo; anocherechedza nzira dzangu dzose.’ “Asi ndinokuudza kuti pachinhu ichi hauna kururama, nokuti Mwari mukuru kukunda munhu. Seiko uchimunyunyutira kuti haasi kupindura mashoko omunhu? Nokuti Mwari anotaura zvino neimwe nzira, pane imwe nguva neimwe nzira, kunyange munhu asingazvioni. Mukurota, uye muchiratidzo chousiku, hope huru padzinowira vanhu, pavanotsimwaira pamibhedha yavo, angangotaura munzeve dzavo uye agovavhundutsa neyambiro zhinji, kuti adzore munhu pakuita zvakaipa, uye nokuita kuti arege kuzvikudza, kuti achengetedze mweya wake pagomba, uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo. Kana kuti munhu angarangwa panhoo yokurwadziwa, achiramba achitambudzika mumapfupa ake, saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya, uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka. Anoonda kusvikira apera, uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze. Mweya wake unoswedera kugomba, uye upenyu hwake kunhume dzorufu. “Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri, mumwe kubva pakati muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira, kuti amunzwire tsitsi agoti, ‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba; ndamuwanira dzikinuro,’ ipapo nyama yake inovandudzwa ikafanana neyomwana; inovandudzwa ikaita sapamazuva oujaya hwake. Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari, anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro; anodzoserwazve kururama kwake naMwari. Ipapo anosvika kuvanhu agoti, ‘Ndakatadza, uye ndakaminamisa zvakanga zvakarurama, asi handina kuwana zvaindikodzera. Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba, uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’ “Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu, kaviri, kunyange katatu, kudzora mweya wake pakupinda mugomba, kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari. “Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri; nyarara, uye ini ndichataura. Kana unacho chokureva, ndipindure; taurisa, nokuti ndinoda kuti ururamisirwe. Asi kana zvisakadaro, chinzwa zvino kwandiri; nyarara, uye ndichakudzidzisa uchenjeri.” Ipapo Erihu akati: “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo. Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya. Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi. “Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira. Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, miseve yake inobaya ronda risingarapiki.’ Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura? Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa. Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’ “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi. Iye anoripira munhu pane zvaanenge aita; anomupisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake. Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira. Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose? Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake, marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete, uye munhu aizodzokerazve kuguruva. “Kana uchinzwisisa teerera izvi; chinzwa zvandinoreva. Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here? Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here? Ko, haazi iye oga anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’ uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’ asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda, uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti vose ibasa ramaoko ake. Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu. “Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo. Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri worufu, pangavanda vaiti vezvakaipa. Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa. Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo. Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku ivo ndokupwanyika. Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose, nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake. Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, saka akanzwa kuchema kwavanoshayiwa. Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi, kuti abvise munhu asina Mwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo. “Ngatiti munhu oti kuna Mwari, ‘Ndine mhaka asi handichatadzizve. Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona; kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’ Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here, zvaunoramba kutendeuka? Unofanira kusarudza iwe, kwete ini; saka nditaurire zvaunoziva. “Imi vanhu vokunzwisisa taurai, vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri, ‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’ Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira, nokuti anopindura somunhu akaipa! Pachivi chake anowedzera kumukira; anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa, uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.’ Ipapo Erihu akati: “Munofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndicharuramisirwa naMwari.’ Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko kana nokusatadza.’ “Ndinoda kupindura iwe neshamwari dzako dzaunadzo. Tarira kumusoro kudenga uone; nan'anidza makore akakwirira kumusoro. Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko? Kana zvivi zvako zvakawanda, zvinoita sei kwaari? Kana wakarurama, unomupeiko iye, kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako? Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe, uye kururama kwako ndokwavanakomana vavanhu chete. “Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa; vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba. Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari muiti wangu, anopa nziyo panguva yousiku, anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika nokutiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’ Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere, nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa. Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo; Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo. Ndoda, zvino, achateerera here zvaunoti hauzi kumuona, uye mhaka yako iri pamberi pake here zvokuti unofanira kumumirira, uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi, uye haana hanya zvake nezvakaipa? Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo; anowanza mashoko ake asingazivi.” Erihu akaenderera mberi achiti: “Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva, ipapo ndichakuratidzai kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari. Ndinowana zivo yangu kure; ndichataura kururama kuMuiti wangu. Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; mumwe akakwana pazivo anemi. “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye haabvi pane zvaakafunga. Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo. Haabvisi meso ake pana vakarurama; anovasimudzira nokusingaperi. Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika, iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru. Anovaita kuti vateerere kurayirwa, uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo. Kana vakateerera uye vakamushandira, vachapedza mazuva avo ose mukubudirira uye makore avo vari mukugutsikana. Asi kana vasingateereri, vachapera nomunondo, uye vachafa vasina zivo. “Vasina Mwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi, kunyange paanovasunga, havaridzi mhere kuti vabatsirwe. Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe. Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo; anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo. “Iye ari kukukwezvai kubva pamuromo wenhamo, kuti akuisei panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo, kuzvivaraidzo zvokutafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka. Asi zvino maremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa; kutonga uye kururamisira zvakubatai imi. Muchenjerere kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai nepfuma; musarega fufuro huru ichikutsausai. Ko, pfuma yenyu kana kushingaira kwesimba renyu kungakutsigirai kuti murege kutambudzika here? Regai kushuva usiku, kuti mukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo. Chenjerai kuti murege kudzokera kune zvakaipa, izvo zvamunoda pachinzvimbo chokutambudzika. “Mwari anokudzwa musimba rake. Ndianiko mudzidzisi akafanana naye? Ndianiko akamurayira nzira dzake, kana kuti kwaari, ‘Makanganisa imi?’ Rangarirai kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo. Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure. Haiwa Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki. “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, iwo anoshanduka achinaya semvura kuhova; makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu. Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mumba make? Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa. Ndiyo nzira yaanotanga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda. Anozadza maoko ake nemheni agorayira kuti irove paanoda. Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya; kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro. “Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi, uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo. Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake, nokuunga kunobva pamuromo wake. Anosunungura mheni yake pasi pedenga rose, agoituma kumigumo yenyika. Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika; anotinhira nenzwi roumambo hwake. Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa; iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura kunzwisisa kwedu. Iye anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’ uye kumvura inonaya, ‘Naya nesimba.’ Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake, iye anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda. Mhuka dzinovanda; dzinoramba dziri mumapako adzo. Dutu rinobuda pakamuri yaro, chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo. Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando, uye mvura zhinji inooma kuita chando. Anozadza makore nounyoro; anoparadzira mheni yake nomumakore. Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira. Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake uye kuti aratidze rudo rwake. “Teerera izvi, Jobho, imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari. Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake? Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo? Iyemi munopiswa nenguo dzenyu panonyaradza nyika nemhepo yezasi, ko, mungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa. “Tiudzei zvatingareva kwaari; hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu. Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here? Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva, nokuvhenekera kwaro riri mumatenga, mushure mokunge mhepo yaachenesa. Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro; Mwari anouya nokubwinya kunotyisa. Wamasimba Ose haanzwisisiki uye anokudzwa nesimba; iye haamanikidzi nokuda kwokururamisira uye nokururama kwake kukuru. Naizvozvo, vanhu vanomutya, ko, haana hanya navose vakachenjera pamwoyo here?” Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati: “Ndianiko uyo anodzima zano rangu namashoko asina zivo? Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura. “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa. Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi? Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona, panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vatumwa vose vachipembera nomufaro? “Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro, pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru, pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa magoni aro namazariro panzvimbo yawo, pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’? “Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo, kuti abate magumo enyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi? Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo. Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika. “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika? Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here? Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi. “Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi? Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here? Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakangova waberekwa? Wararama kwamakore mazhinji kwazvo. “Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe, zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo nookurwa? Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa pamusoro penyika mhepo dzokumabvazuva? Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, uye nzira yechimvuramabwe, kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri, kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa? Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vamadonhwe edova? Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga, panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando? “Ungagona kusunga nyeredzi dzechimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here? Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo? Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here? “Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, nokuzvifukidza namafashamu emvura? Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano? Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro? Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga, kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana? “Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here, uye ungagutsa shumba panzara yadzo here, kana dzichitsivama mumapako adzo kana dzakavandira mudenhere? Ndianiko anopa gunguo zvokudya kana vana varo vachichema kuna Mwari, uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya? “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here? Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here? Dzinotsivama pasi dzogobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera. Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve. “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo? Ndakaipa renje kuti uve musha wayo, nyika yomunyu sougaro hwayo. Inoseka bope riri muguta; hainzwi kudaidzira kwomuchairi. Inoita zvikomo mafuro ayo uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zviri zvinyoro. “Ko, nyati ingatenda kukushandira here? Ko, ichagara mudanga rako usiku here? Ko, ungagona kuifambisa mumafaro namahanisi here? Ko, ingarima makoronga mushure mako here? Ungavimba nesimba rayo guru here? Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here? Ungavimba nayo kuti ikuvigire zviyo zvako uye igozviunganidza paburiro rako here? “Mapapiro emhou anobhururuka nomufaro mukuru, asi haangazvienzanisi namapapiro uye neminhenga yedambira murove. Inokandira mazai ayo muvhu ndokuarega achidziyirwa mujecha, isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya, kuti mhuka dzesango dzingaatsika. Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo; haina hanya kuti yakatambudzika pasina, nokuti Mwari haana kuisa njere mairi kana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka. Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye, inoseka bhiza nomutasvi varo. “Iwe unopa bhiza simba raro kana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here? Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu, richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here? Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro, rigobuda richienda kundorwa. Rinoseka kutya, harina charinotya; haritizi munondo. Gaba rinorira naparutivi paro, pamwe chete nepfumo rinovaima uye bakatwa. Neshungu rinodya ivhu; harigoni kumira rakadzikama kana richinzwa kurira kwehwamanda. Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’ Iro rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure, kudanidzira kwavakuru vehondo uye mheremhere yehondo. “Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here parunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi? Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here richindovaka dendere raro pakakwirira? Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku; shongwe yedombo ndiyo nhare yaro. Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro; meso aro anozviona zvichiri kure. Vana varo vanodya ropa, uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.” Jehovha akati kuna Jobho: “Ko, munhu anokakavadzana naWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!” Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati: “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu. Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzizve.” Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati: “Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura. ‘Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here? Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here, uye inzwi rako ringatinhira serake here? Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya, uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo. Bvisa ukasha hwehasha dzako, utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza, tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa, pwanya vakaipa ipapo pavamire. Uvavige vose pamwe chete muguruva; usunge zviso zvavo muguva. Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa. “Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe uye inofura uswa senzombe. Simba rainaro muchiuno chayo, kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo. Muswe wayo unotsvikidza somusidhari; marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa. Mapfupa ayo ipombi dzendarira, miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi. Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari, asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake. Zvikomo zvinoivigira zvibereko zvayo, uye zvikara zvose zvesango zvinotambira pedyo nayo. Inovata pasi pemiti yemirotasi yakavanda pakati petsanga munhope. Mirotasi inoivanza pamimvuri yayo; mikonachando iri mijinga morukova inoipoteredza. Panozara rwizi, iyo haivhunduki; inodekara zvayo, kunyange Jorodhani rukapfachukira kumuromo wayo. Pano munhu angagona kuibata neziso, kana kuiteya uye nokuibaya pamhino yayo here? “Ungagona kukweva ngwena nechiredzo, kana kusunga rurimi rwayo netambo here? Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo, kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here? Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here? Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here? Ko, ingaita chitenderano newe here kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose? Ungagona kuipfuwa seshiri here kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo? Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here? Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here? Ungagona kuzadza dehwe rayo nemiseve yenzeve here, kana kuzadza musoro wayo namapfumo okuredzesa hove? Kana ukaisa ruoko rwako pairi uchazorangarira kurwisana kwako nayo uye haungazozvipamhizve! Tariro ipi zvayo yokuitonga ndeyenhema; kungoiona bedzi kunopedza simba. Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha. Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni? Ndianiko wandakatorera chinhu wandinofanira kuripira? Zvinhu zvose zviri pasi pedenga ndezvangu. “Handingakonewi kutaura zvemitezo yayo, simba rayo uye chimiro chayo chakanaka. Ndianiko angabvisa dehwe rayo? Ndianiko angasvika kwairi namatomu? Ndianiko anotsunga kuzarura mikova yomuromo wayo, iwo wakakomberedzwa nameno ayo anotyisa? Musana wayo une mitsara yamakwande yakanyatsonamirwa pamwe chete; rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe, zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati. Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe; akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa. Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto; meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza. Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo; zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze. Utsi hunobuda mumhino dzayo sepahari inovira pamusoro pomoto weshanga. Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto, uye murazvo unobuda mumuromo mayo. Simba rinogara pamutsipa wayo; kuvhundutsa kuri pamberi payo. Nhindi dzenyama yayo dzakabatanidzwa zvakasimba; dzakasimba uye hadzizungunuswi. Chipfuwa chayo chakaoma sebwe, chakaoma sapasi peguyo. Painosimuka, vane simba vanovhundutswa, vanodududzira shure isati yarova mvura. Munondo unosvika kwairi hauna simba, uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba. Simbi inoita samashanga kwairi, uye ndarira sedanda rakaora. Miseve haingaiti kuti itize zvimviriri zvakaita sehundi kwairi. Tsvimbo inoita kunge chidimbu cheshanga kwairi; inoseka panorira bakatwa. Pasi payo pakaita sezvaenga zvehari, inosiya muhwezva mumatope sechirei chinokwevewa. Inoita kuti mvura yakadzika ivire segate rinovhaira, uye inokurunga gungwa sehari yamafuta. Shure kwayo inosiya muhwezva unopenya; mumwe munhu angafunga kuti mvura yakadzika yava nevhudzijena. Hapana chakaenzana nayo munyika, chisikwa chisingatyi. Inotarisira pasi zvose zvinozvikudza; ndiyo mambo pamusoro pezvose zvinozvikudza.” Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati: “Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose; hapana urongwa hwenyu hungakoneswa. Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’ Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive. “Mati imi, ‘Chinzwa zvino, uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe, uye iwe uchandipindura.’ Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu, asi zvino meso angu akuonai imi. Naizvozvo ndinozvishora pachangu, uye ndinotendeuka hangu muguruva nomumadota.” Jehovha akati areva zvinhu izvi kuna Jobho, akati kuna Erifazi muTemani, “Ndakakutsamwira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaitwa nomuranda wangu Jobho. Saka zvino chitorai hando nomwe namakondohwe manomwe mugoenda kumuranda wangu Jobho mundozvibayira sechipiriso chenyu chinopiswa. Muranda wangu Jobho achakunyengetererai, uye ini ndichagamuchira munyengetero wake ndigorega kukuitirai zvakafanira upenzi hwenyu. Hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, somuranda wangu Jobho.” Saka Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamaati vakaita zvavakaudzwa naJehovha; uye Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho. Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare. Vanun'una vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe. Jehovha akaropafadza kupedzisira kwoupenyu hwaJobho kupfuura kutanga. Akanga ana makwai zviuru gumi nezvina, zviuru zvitanhatu zvengamera, nenzombe dzingasungwa pamajoko chiuru nembongoro chiuru. Uye akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu. Mwanasikana wake wokutanga akamutumidza zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Kezia uye wechitatu akamutumidza kuti Kereni-Hapuki. Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka kupinda vanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pamwe chete nehanzvadzi dzavo. Shure kwaizvozvi, akazorarama makore zana namakumi mana; akaona vana vake navana vavana vake kusvikira parudzi rwechina. Nokudaro akafa, akwegura ava namakore mazhinji. Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi. Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka. Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama. Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa. Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanorangarireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake. Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasha mabote avo.” Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira. Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti, “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.” Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako. Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako. Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.” Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika. Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera. Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake. [1] Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira! Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu. Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye iye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira. Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise. Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa. Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndipindurei pandinodana kwamuri, imi Mwari wangu akarurama. Ndisunungurei pakutambudzika kwangu; ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu. Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko? Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? Sera Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda; Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari. Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; pamunenge muri pamibhedha yenyu, nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera Ipai zvibayiro zvakarurama uye muvimbe naJehovha. Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?” Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha. Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda. Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Jehovha, munoita kuti ndigare pakasimba. Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi. [1] Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha. Rangarirai chikumbiro changu. Teererai inzwi rokuchema kwangu, Mambo wangu naMwari wangu, nokuti ndinonyengetera kwamuri. Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha; mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu uye ndichimirira netariro. Imi hamuzi Mwari anofarira zvakaipa; munhu akaipa haangagari nemi. Munhu anozvikudza haangamiri pamberi penyu; munovenga vose vanoita zvakaipa. Munoparadza vose vanoreva nhema; vanoteura ropa navanhu vanonyengera, Jehovha anovasema. Asi ini, nenyasha dzenyu huru, ndichapinda mumba menyu; norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu, ndakatarira kutemberi yenyu tsvene. Nditungamirirei, imi Jehovha, mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu, ruramisai nzira yenyu pamberi pangu. Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro; mwoyo yavo izere nokuparadza. Huro dzavo iguva rakashama; vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo. Haiwa Mwari, vapei mhosva! Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo. Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji, nokuti vakakumukirai. Asi vose vanovanda mamuri ngavafare; ngavagare vachiimba nomufaro. Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu, kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri. Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama; munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo. Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Sezvinoitwa kusheminiti. Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, regai kundirayira pakutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu. Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza. Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko? Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi. Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva? Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi. Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose. Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu. Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu. Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhunduswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa. Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBenjamini. [1] Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri; ndipone uye mundirwire pana vose vanondidzinganisa, kuti varege kundibvambura seshumba nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu, kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka, ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate; ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu uye andivatise muguruva. Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu; simukai murwise hasha dzavavengi vangu. Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira. Ndudzi dzakaungana ngadziungane dzakakupoteredzai. Vatongei imi muri kumusoro; Jehovha ngaatonge marudzi. Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu, Zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro. Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka. Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro, iye anoponesa vane mwoyo yakarurama. Mwari ndiye mutongi akarurama, iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva. Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; achakunga uta hwake nokuhugadzira. Agadzirira zvombo zvake zvinouraya; anozvigadzirira miseve yake inopisa. Iye ane mimba yezvakaipa akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema. Uyo anochera gomba, akaridzikisa achawira mugomba raachera. Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake; uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake. Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake, uye ndichaimbira zita raJehovha woWokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza. Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro. Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi. Kana ndichifunga matenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo, munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye? Makamuita muduku zvishoma pazvisikwa zvokudenga, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa. Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake: makwai ose nemombe, nemhuka dzesango, neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa. Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa Kwomwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose. Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro. Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu. Nokuti makatsigira kodzero yangu nemhosva yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo. Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi. Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara. Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge. Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira. Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika. Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai. Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi. Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira; haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa. Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu, kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, apo pandichafara muruponeso rwenyu. Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera; tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga. Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo. Higayoni Sera Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari. Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari. Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda; ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu. Varovei nokutyisa imi Jehovha; ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo. Sera Munomirireiko kure, imi Jehovha? Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika? Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba, vanobatwa namano okufunga kwake. Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha. Pakuzvikudza kwake wakaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari. Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose; anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye; anodadira vavengi vake vose. Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizunungusa; ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.” Muromo wake uzere nokutuka nokureva nhema, uye nokutyisidzira; matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake. Anovandira ari pedyo nemisha; pakuvandira uku anouraya vasina mhosva, ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza. Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo; anovandira kuti abate vasina anovabatsira; anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake. Vabatwa vake anovapwanya, vanowa; vanowira pasi pesimba rake. Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa; akafukidza chiso chake uye haazoonizve.” Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari. Regai kukanganwa vanomanikidzwa. Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari? Seiko achiti mumwoyo make, “Haazondibvunzi?” Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa; munokutarisisa kuti mukupedze. Asina simba anozviisa kwamuri; muri mubatsiri wenherera. Vhunai ruoko rwowakaipa norwomunhu akaipa; ngaazvidavirire pazvakaipa zvake zvakanga zvisingazoonekwi. Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; ndudzi dzichaparara munyika yake. Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura; munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo, muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa, kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndinovanda muna Jehovha. Mungareva seiko kwandiri muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri. Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; vanogadzirira miseve yavo parukungiso, kuti vapfure vari murima, uyo akarurama pamwoyo. Kana nheyo dzaparadzwa, akarurama angaiteiko?” Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; meso ake anovaedza. Jehovha anoedza vakarurama, asi vakaipa navanoda zvechisimba mweya wake unovavenga. Pane vakaipa anonayisa mazimbe omoto nesafuri inopfuta; mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo. Nokuti Jehovha akarurama, anoda kururamisira; vanhu vakarurama vachaona chiso chake. Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi. [1] Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina; vakatendeka vapera pakati pavanhu. Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema; miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera. Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso, norurimi rumwe norumwe runozvikudza ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu; miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?” “Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba nokugomera kwavarombo, ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.” Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa, sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu, yakanatswa kanomwe. Imi Jehovha, muchatichengeta murugare uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi. Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu? Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko, uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko? Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu. Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara; muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,” uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa. Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu. Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandinakira. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Benzi rinoti mumwoyo maro, “Hakuna Mwari.” Vakaora, mabasa avo akashata; hakuna anoita zvakanaka. Jehovha ari kudenga anotarira pasi pamusoro pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, naani zvake anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakasvibiswa; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe. Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here, ivo vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa, uye vasingadani kuna Jehovha? Pavari ipapo, vakazara nokutya, nokuti Mwari ari paungano yavakarurama. Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo, asi Jehovha ndiye utiziro hwavo. Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni! Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake, Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare. Pisarema raDhavhidhi. [1] Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake, uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye, anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza, anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvi haangatongozungunuswi. Mikitami raDhavhidhi. [1] Ndichengetei zvakanaka, imi Mwari, nokuti ndinovanda mamuri. Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu; kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.” Kana vari vatsvene vari panyika, ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose. Kuchema kuchawedzerwa, kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari. Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu. Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu; mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke. Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka; zvirokwazvo ndine nhaka inofadza. Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano; kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira. Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kurudyi rwangu, handingatongozungunuswi. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza; muviri wanguwo uchazorora zvakanaka, nokuti imi hamuzondisiyi muguva, kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora. Makandizivisa nzira youpenyu; muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu, nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi. Munyengetero waDhavhidhi. [1] Inzwai, imi Jehovha, mukumbiro wangu wakarurama; inzwai kuchema kwangu. Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, usingabvi pamiromo inonyengera. Kururamiswa kwangu ngakubve kwamuri; meso enyu ngaaone zvakarurama. Kunyange mukaedza mwoyo wangu nokundiongorora usiku, kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu; ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza. Kana ari mabasa avanhu, neshoko remiromo yenyu, ndakanzvenga nzira dzouyo anoita nechisimba. Nhambwe dzangu dzakarambira panzira dzenyu; tsoka dzangu hadzina kutedzemuka. Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nokuti muchandipindura; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, munzwe munyengetero wangu. Ratidzai kushamisa kworudo rwenyu rukuru, imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, avo vanovanda vavengi vavo mamuri. Ndichengetei semboni yeziso renyu; ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu, kubva kuno wakaipa anondirwisa, kubva kuvavengi vangu, vanoda kundiuraya, vakandikomberedza. Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara, uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza. Vakandironda, zvino vandikomba, vanocherechedza nameso avo kuti vandiwisire pasi. Vakaita seshumba ine nzara yechokudya, seshumba huru yakavandira pakavanda. Haiwa, Jehovha, simukai, mirai pamberi pavo, vawisirei pasi; ndirwirei nomunondo wenyu pano wakaipa. Haiwa, Jehovha, ndiponesei noruoko rwenyu kubva kuvanhu vakadai, kubva kuvanhu venyika ino vano mubayiro uri muupenyu huno. Munopedza nzara yaavo vamunoda; vanakomana vavo vane zvakawanda, uye vanounganidzira vana vavo pfuma. Zvino ini mukururama, ndichaona chiso chenyu; pandinomuka, ndichagutswa nokuona mufananidzo wenyu. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva mumaoko avavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati: [1] Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu. Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu. Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu. Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza. Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake. Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika; Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta. Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo. Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga. Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni. Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika. Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake, kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa. Mipata yegungwa yakaiswa pachena, uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena pakutuka kwenyu, imi Jehovha, nokufema kwemhino dzenyu. Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika. Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri. Vakandinanga nezuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira. Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake. Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi. Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu, zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake. Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu, kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu, asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu. Munoponesa vanozvininipisa, asi muchideredza vane meso anozvikudza. Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta; Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza. Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo. Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu? NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu. Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka. Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa. Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu. Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu. Makaita kuti vavengi vangu vatize, uye ndakaparadza vavengi vangu. Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo; ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha. Makandirwira pakurwisa kwavanhu; makandiita musoro wendudzi; vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu. Pavanongondinzwa, vanonditeerera; vatorwa vanokotama pamberi pangu. Vose vanoora mwoyo; vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera. Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu! Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu, anondiponesa pavavengi vangu. Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu. Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba. Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza. Anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake. Zuva nezuva anotaura; usiku nousiku anoratidza zivo. Hakuna mutauro kana rurimi kusinganzwiki inzwi ravo. Inzwi razvo rinosvika panyika yose, mashoko azvo kumagumo apasi. Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva, rakaita sechikomba chinobuda mumba, seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange. Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi; hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro. Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano. Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama. Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga. Muranda wenyu anoyambirwa nazvo; pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru. Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika. Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu. Ipapo handizovi nemhosva, ndisina mhaka yokudarika kukuru. Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire. Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, uye akupe rutsigiro runobva kuZioni. Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire. Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako, uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu. Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira. Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; anomupindura ari kudenga rake dzvene, nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi. Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza, asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu. Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa, asi isu tinosimuka tigomira takasimba. Haiwa Jehovha, ponesai mambo! Tipindurei patinodana! Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu. Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa! Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake, uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake. Sera Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma, uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena. Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva mazhinji, nokusingaperi-peri. Kubudikidza nokukunda kwamakamupa, kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa. Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi, mukamufadza nomufaro pamberi penyu. Nokuti mambo anovimba naJehovha; nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro, iye haangazungunuswi. Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose; ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu. Panguva yokuonekwa kwenyu muchavaita sevira romoto. Jehovha achavamedza nehasha dzake, uye moto wake uchavaparadza. Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika, vana vavo kubva pakati pavanhu. Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyu nokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira; nokuti muchaita kuti vafuratire, pamuchavananga nouta hwakavhomorwa. Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu; tichaimba uye ticharumbidza simba renyu. Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo e“Nondo yamangwanani.” Pisarema raDhavhidhi. [1] Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu? Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari. Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri. Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira. Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa. Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi. Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.” Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu. Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu. Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira. Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza. Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo. Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu. Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu. Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu. Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinananidza uye vanofarira kutambudzika kwangu. Vanogovana nguo dzangu pakati pavo vanokanda mijenya panguo yangu. Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni; imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira. Rwirai upenyu hwangu pamunondo, ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa. Ndinunurei pamuromo weshumba; ndiponesei panyanga dzenyati. Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano. Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri! Nokuti haana kuzvidza kana kusema chibayiro chaiye akatambudzwa; haana kumuvanzira chiso chake, asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro. Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru; ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai. Varombo vachadya uye vagoguta; vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza, mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi! Migumo yose yenyika icharangarira igodzokera kuna Jehovha, uye mhuri dzendudzi dzose dzichapfugama pamberi pake, nokuti ushe ndohwaJehovha uye anotonga pamusoro pendudzi. Vapfumi vose venyika vachadya uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake, navose vasingagoni kuzviraramisa. Vana vake vachamushumira; marudzi anotevera achaudzwa nezvaIshe. Vachaparidza kururama kwake kuvanhu vasati vaberekwa, nokuti akazviita. Pisarema raDhavhidhi. [1] Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa. Anondivatisa pasi pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza, anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzakarurama nokuda kwezita rake. Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira. Zvirokwazvo unyoro hwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, mazuva ose oupenyu hwangu, uye ndichagara mumba maJehovha nokusingaperi. Pisarema raDhavhidhi. [1] Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo; nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji. Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene? Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema. Iye achagamuchira mukomborero unobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake. Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera Simudzai misoro yenyu, imi masuo; musimudzwe, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde. Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Jehovha ane simba pakurwa. Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muasimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde. Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya? Jehovha Wamasimba Ose, ndiye Mambo wokubwinya. Sera Pisarema raDhavhidhi. [1] Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri; haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi. Musandirega ndichinyadziswa, uye musarega vavengi vangu vachindikunda. Hapana munhu ane tariro mamuri achanyadziswa, asi vachanyadziswa avo vanonyengera pasina chikonzero. Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha, ndidzidzisei nzira dzenyu; nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa, nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu, uye tariro yangu iri pamuri zuva rose. Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo, nokuti zvakabvira kare. Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo; ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu, nokuti makanaka, imi Jehovha. Jehovha akanaka uye akarurama; naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake. Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama, uye anovadzidzisa nzira yake. Nzira dzose dzaJehovha ndedzorudo nokutendeka, kuna avo vanochengeta zvirevo zvesungano yake. Nokuda kwezita renyu, imi Jehovha, kanganwirai chakaipa changu, kunyange chiri chikuru. Ndiani, zvino, munhu anotya Jehovha? Achamudzidzisa nzira yaakasarudzirwa. Achararama upenyu hwake mukubudirira, uye zvizvarwa zvake zvichagara nhaka yenyika. Jehovha anogara pakati pavanomutya; anozivisa sungano yake kwavari. Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo. Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika. Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu. Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose. Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu, uye kuti vanondivenga zvakakura sei! Rindai upenyu hwangu mugondinunura; ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovanda mamuri. Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri. Dzikinurai Israeri, imi Mwari, kuti vabve mumatambudziko avo ose! Pisarema raDhavhidhi. [1] Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki. Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu; nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu. Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri; ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa. Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka, uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha, ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru, nokureva zvamabasa enyu ose anoshamisa. Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu. Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa, vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi. Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa; ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni. Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano huru. Pisarema raDhavhidhi. [1] Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu, ndichagotya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu, ndianiko wandingatya? Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri kuzodya nyama yangu, vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa, vanogumburwa ndokuwa. Kunyange hondo ikandikomba, mwoyo wangu haungazotyi; kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa, ipapo ndichavimba naJehovha. Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha, ndicho chandinotsvaka: kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti nditarire kunaka kwaJehovha uye ndimutsvake mutemberi yake. Nokuti zuva rokutambudzika achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara; achandiviga mudumba retabhenakeri yake, agondikwidza pamusoro pedombo. Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa pamusoro pavavengi vakandipoteredza; ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru; ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo. Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha; ndinzwirei ngoni mugondipindura. Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!” Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka. Regai kundivanzira chiso chenyu, musadzinga muranda wenyu mukutsamwa; makanga muri mubatsiri wangu. Regai kundiramba kana kundisiya, imi Mwari Muponesi wangu. Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya, Jehovha achandigamuchira. Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha; ndisesedzei munzira yakarurama nokuda kwavamanikidzi vangu. Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu, nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira, vachifemedzeka nehasha. Ndichine chokwadi neizvi zvokuti: ndichaona kunaka kwaJehovha munyika yavapenyu. Rindira Jehovha; iva nesimba, utsunge mwoyo ugomirira Jehovha. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu; musandinyararira. Nokuti kana mukaramba munyerere, ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba. Inzwai kuchemera ngoni kwangu, sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri, sezvo ndichisimudza maoko angu ndakatarira kunzvimbo yenyu Tsvenetsvene. Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa, naavo vanoita zvakaipa, vanotaura rugare navavakidzani vavo asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo. Vatsivei pamabasa avo napabasa ravo rakaipa, vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo; mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira. Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha uye nezvakaitwa namaoko ake, achavaputsira pasi akasavavakazve. Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni. Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo. Jehovha ndiye simba ravanhu vake, nhare yoruponeso yomuzodziwa wake. Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu; ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ipai kuna Jehovha, imi mune simba ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba. Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake. Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji. Mwari wokubwinya anotinhira, Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji. Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa. Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari, Jehovha anovhunavhuna misidhari yeRebhanoni. Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru, neSirioni senzombe yenyati. Inzwi raJehovha rinorova nokuvaima kwemheni. Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga; Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi. Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e. Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!” Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi. Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare. Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa. Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba. Imbirai Jehovha imi vatsvene vake; rumbidza zita rake dzvene. Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani. Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.” Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi, makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba; asi pamakavanza chiso chenyu, ini ndakavhunduka. Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti, “Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here? Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.” Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba; makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro, kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa. Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu, nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu. Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu. Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu; ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi. Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha. Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu. Hamuna kundiisa kumuvengi, asi makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana. Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo; meso angu aneta nokuchema, mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa. Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa, uye namakore angu nokugomera; simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu, uye mapfupa angu arukutika. Nokuda kwavavengi vangu, ndava chinhu chinovengwa navavakidzani vangu; ndava chinhu chinotyisa kushamwari dzangu; vanondiona munzira dzomumisha vanonditiza. Ndakanganwikwa navo sendakafa; ndafanana nehari yakaputsika, nokuti ndinonzwa guhwa ravazhinji; kumativi ose kune zvinotyisa; vanorangana pamusoro pangu uye vanoronga kundiuraya. Asi ndinovimba nemi, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi Mwari wangu.” Nguva dzangu dziri mumaoko enyu; ndirwirei kuvavengi vangu nokuna avo vanonditeverera. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu; ndiponesei norudo rwenyu rusingaperi. Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa, nokuti ndakadana kwamuri; asi vakaipa ngavanyadziswe uye vavate vakati mwiro muguva. Miromo yavo inoreva nhema ngainyaradzwe, nokuti vanotaura namanyawi nokuzvikudza pamusoro pavakarurama. Haiwa, kunaka kwenyu kukuru sei, kwamakachengetera vaya vanokutyai, kwamunoisa pamberi pavanhu, pamusoro paivo vanovanda mamuri. Mudumba pamberi penyu munovavanza kubva parangano dzavanhu; munovachengeta zvakanaka pamunogara kubva pandimi dzinopomera. Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akaratidza rudo rwake runoshamisa kwandiri pandakanga ndiri muguta rakakombwa. Mukuvhunduka kwangu, ndakati, “Ndabviswa pamberi penyu!” Asi makanzwa kuchemera nyasha kwangu pandakadanidzira kwamuri ndichida rubatsiro. Idai Jehovha, imi vatsvene mose! Jehovha anochengetedza vakatendeka, asi anotsiva zvizere vanozvikudza. Simbai uye mutsunge mwoyo, imi mose munorindira Jehovha. Pisarema raDhavhidhi neMasikiri. [1] Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake. Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make. Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose. Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwaari. Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda. Rega kuva sebhiza kana sehesera, zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa nomukaro kana namatomu, kana kuti hazvingauyi kwauri. Wakaipa ana matambudziko mazhinji, asi rudo rusingaperi rwaJehovha runopoteredza munhu anovimba naye. Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama; imbai, imi mose makarurama pamwoyo! Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama; zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze. Rumbidzai Jehovha nembira; muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi. Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro. Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi; iye akatendeka pane zvose zvaanoita. Jehovha anoda kururama nokururamisira; nyika izere norudo rwake rusingaperi. Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzoko, nokufema kwomuromo wake. Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura. Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze. Nokuti iye akataura, zvikaitika; akarayira, zvikamira zvakasimba. Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi; anopinganidza mifungo yendudzi. Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kumarudzi namarudzi. Rwakaropafadzwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo, vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake. Jehovha anotarira pasi ari kudenga uye anoona marudzi ose avanhu; ari pachigaro chake anotarira vose vagere panyika, iye akaumba mwoyo yavose, anofungisisa zvose zvavanoita. Hapana mambo anoponeswa nokukura kwehondo yake; hapana murwi anopunyuka nokuda kwesimba rake guru. Bhiza itariro isina maturo pakurwirwa; harigoni kuponesa kunyange rine simba guru. Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya, napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi, kuti avarwire parufu nokuvararamisa panzara. Tinomirira Jehovha netariro; ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu. Mwoyo yedu inofara maari, nokuti tinovimba nezita rake dzvene. Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha, kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri. Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake. [1] Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete. Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose. Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi. Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose. Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura. Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa. Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka. Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha. Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda, dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema. Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere. Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo; chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika. Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya. Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose; anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika. Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva. Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva. Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; rwisai avo vanondirwisa. Torai nhoo huru neduku; simukai, uye uyai mundibatsire. Vheyesai pfumo guru nepfumo diki murwise avo vanonditevera. Muti kumweya wangu, “Ndini ruponeso rwako.” Vanotsvaka kundiuraya ngavazvidzwe uye vanyadziswe; vanorangana kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vachitya. Ngavaite sehundi pamberi pemhepo, mutumwa waJehovha achivasundira kure; nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze, mutumwa waJehovha achivateverera. Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva, uye vakandicherera gomba ndisina mhosva, kuparadzwa ngakuvawire pakarepo, mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo, ngavawire mugomba ravo vaparare. Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha, uye uchafarira ruponeso rwake. Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti: “Ndianiko akaita semi, Jehovha? Munonunura varombo kubva kuna avo vane simba kupinda ravo.” Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi; zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi. Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira. Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga ndikazvininipisa nokutsanya. Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro, ndakafamba-famba ndichichema kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu. Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema, sokunge ndinochema mai vangu. Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara; varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi. Vakandireva vasingaregi. Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo; vakandirumanyira meno avo. Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi. Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji. Ngavarege kufara pamusoro pangu avo vanondivenga ndisina mhosva; vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga. Havatauri norugare, asi vanofunga kupomera mhosva pamusoro pavanogara norunyararo munyika. Vanondishamira miromo yavo vachiti, “Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.” Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara. Regai kuva kure neni, imi Ishe. Mukai uye simukai mundirwire! Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu. Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu; musarega vachifara pamusoro pangu. Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.” Vose vanofarira kutambudzika kwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanozvisimudzira pamusoro pangu ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa. Vose vanofarira kururamisirwa kwangu ngavapembere nomufaro nokufarisisa; ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.” Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. [1] Shoko riri mumwoyo mangu pamusoro pokutadza kwavakaipa rinoti: Hakuna kutya Mwari pamberi pake. Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake, zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake. Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera; haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka. Kunyange panhoo yake anofunga zvakaipa; anozvifambisa panzira yezvakaipa uye haarambi chakaipa. Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga, kutendeka kwenyu kunosvika kumakore. Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru, kururamisira kwenyu sepakadzika dzika. Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka. Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei! Vose vakuru navaduku pakati pavanhu vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu. Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu; munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza. Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu; muchiedza chenyu tinoona chiedza. Rambai muchiitira rudo kuna avo vanokuzivai, uye kururama kwenyu kuna vane mwoyo yakarurama. Rutsoka rwounozvikudza ngarurege kusvika kwandiri, kunyange ruoko rwowakaipa ngarurege kundidzingira kure. Tarirai vaiti vezvakaipa kuti vawa sei, vakandwa pasi, havagoni kumuka. Pisarema raDhavhidhi. [1] Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa; nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma. Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi; achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga. Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa. Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Chinguva chidukuduku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru. Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo. Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya. Vakaipa vanovhomora munondo uye vanowembura uta kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa, kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama. Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika. Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji; nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama. Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi. Panguva yenjodzi, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda. Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi. Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda; avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vanotuka vachaparadzwa. Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake; kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake. Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachisiyiwa, kana vana vavo vachipemha chingwa. Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa. Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka; ipapo uchagara panyika nokusingaperi. Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka. Vachadzivirirwa nokusingaperi; asi vana vowakaipa vachaparadzwa; vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi. Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira. Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki. Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo; asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa. Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona. Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti munyoro pavhu romunyika yawo, asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa. Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama; ane ramangwana rakanaka munhu worugare. Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa. Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko. Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari. Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro. [1] Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu. Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu. Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu. Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura. Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu. Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose. Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano. Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo. Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri. Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu. Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni. Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri. Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo; ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri. Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu. Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.” Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni. Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza. Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda. Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka. Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu. Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira. Kumutungamiri wokuimba kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu nokuchengeta rurimi rwangu pachivi; ndichaisa matomu pamuromo wangu kana vakaipa vari pamberi pangu.” Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama, ndisingatauri kana chakanaka zvacho, kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa. Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu, uye pandakafungisisa, moto ukapisa; ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati: “Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu nokuwanda kwamazuva angu; ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu. Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi. Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora. “Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri. Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi. Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi. Bvisai shamhu yenyu kwandiri; ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu. Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo, munoparadza pfuma yavo sechipfukuto, munhu mumwe nomumwe mweya zvawo. Sera “Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha, rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro; regai kuva matsi pakuchema kwangu. Nokuti ndigere nemi somutorwa, somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose. Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve ndisati ndabva uye ndisisipo.” Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu. Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo. Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha. Akaropafadzwa munhu akaita Jehovha chivimbo chake, asingatariri kuna vanozvikudza, kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, zvizhinji zvishamiso zvamakaita. Zvinhu zvamakatitongera hakuna angazvirondedzera kwamuri; dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo, zvaizowandisa kuzvizivisa. Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo, asi nzeve dzangu makadziboora; zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvireva. Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu, ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu. Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu; murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.” Ndinoparidza kururama paungano huru; handidziviri miromo yangu, sokuziva kwenyu, imi Jehovha. Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu; ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu paungano huru. Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha; rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose. Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza; zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona. Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu, uye mwoyo wangu waneta mukati mangu. Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei; haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira. Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanoda kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vanyadziswe. Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo. Asi vose vanokutsvakai ngavafare uye vafarisise mamuri; avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe!” Asi ndiri murombo nomushayiwi; dai Ishe vandifungawo. Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu; haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika. Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake. Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere. Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni; ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.” Vavengi vangu vachindigodora vanoti, “Achafa riniko uye zita rake rigoparara?” Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa; ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe. Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu; vanondifungira zvakaipisisa, vachiti, “Chirwere chakaipa chakamubata, haachambomukizve panzvimbo paakarara.” Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo, yandaigovana zvokudya nayo, yandisimudzira chitsitsinho chayo. Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni, ndisimudzei, kuti ndivatsive. Ndinoziva kuti munofadzwa neni, nokuti muvengi wangu haandikundi. Munonditsigira pakutendeka kwangu, uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi. Kurumbidzwa ngakuve kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira nokusingaperi. Ameni naAmeni. Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaVanakomana vaKora. [1] Senondo inotakwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai, imi Mwari. Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu. Ndingaenda riniko kundosangana naMwari? Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu masikati nousiku, asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri, “Mwari wako aripiko?” Ndinorangarira zvinhu izvi pandinodurura mweya wangu, mafambiro andaiita navazhinji ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari, nokupembera nomufaro uye nokuvonga pakati pavazhinji pamutambo. Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu. Mweya wangu wakaneta mukati mangu; naizvozvo ndichakurangarirai ndiri kunyika yeJorodhani, pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari. Pakadzika panodana pakadzika mukutinhira kwamapopopo emvura; mafungu enyu ose namapoporodzi akapfuura napamusoro pangu. Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake, pausiku rwiyo rwake runeni, munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu. Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu, “Mandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema ndakadzvinyirirwa nomuvengi?” Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu, sezvo vavengi vangu vachindizvidza zuva rose vachiti kwandiri, “Mwari wako aripiko?” Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve. Muponesi wangu naMwari wangu. Ndiruramisirei, imi Mwari, uye mundireverere mhaka yangu parudzi rusina Mwari; ndinunurei pavanhu vanonyengera navakaipa. Ndimi Mwari nhare yangu. Mandirambireiko? Ndinofambireiko pose ndichichema ndichidzvinyirirwa navavengi? Tumirai chiedza chenyu nechokwadi chenyu, ngazvinditungamirire; ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene, kunzvimbo yamunogara. Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari, kuna Mwari, iye mufaro wangu nomudikani wangu. Ndichakurumbidzai nembira, imi Mwari, Mwari wangu. Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu. Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri. [1] Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatiudza zvamakaita pamazuva avo, pamazuva ekare. Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi uye mukasima madzibaba edu; makapwanya marudzi mukaita kuti madzibaba edu abudirire. Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa; rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu, nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada. Ndimi Mambo wangu naMwari wangu, anorayira kukunda kwaJakobho. Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure; kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu. Handivimbi nouta hwangu, munondo wangu haundivigiri kukunda; asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu, munonyadzisa vadzivisi vedu. Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi. Sera Asi zvino matiramba uye matininipisa; hamuchabudi nehondo dzedu. Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu, uye vadzivisi vedu vakatipamba. Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi. Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa. Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza. Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro. Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva. Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu. Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu. Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru. Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa, Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo? Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa. Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi. Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu? Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu. Simukai mutibatsire; tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi. Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa “Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato. [1] Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka, pandinodetembera mambo ndima dzangu; rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona. Imi makanakisisa pavanhu vose uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha, sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi. Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba, zvishongedzei nokubwinya noumambo. Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo, makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama; ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa. Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo; ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu. Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri; tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu. Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta omufaro. Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia, zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou, kurira kwehungiso kunokufadzai. Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa; kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri. Teerera, iwe mwanasikana, rangarira, uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako. Mambo ayevedzwa norunako rwako; mukudze, nokuti ndiye Ishe wako. Mwanasikana weTire achauya nechipo, vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri. Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe. Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo; shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera uye vanouyiswa kwamuri. Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa; vanopinda mumuzinda wamambo. Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda panyika yose. Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kumarudzi ose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri. Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo. [1] Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika. Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa, kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera Pane rwizi ruripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yoWokumusoro-soro. Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza. Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka. Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika. Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto. “Nyararai, uye muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.” Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. [1] Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro. Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose! Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu, marudzi pasi petsoka dzedu. Akatitsaurira nhaka yedu, iyo pfuma yaJakobho, waakada. Sera Mwari akakwira pakati pokudanidzira kwomufaro, Jehovha pakati pokurira kwehwamanda. Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza. Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose; Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene. Makurukota amarudzi aungana savanhu vaMwari waAbhurahama, nokuti madzimambo enyika ndeaMwari; iye anokudzwa zvikuru kwazvo. Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora. [1] Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene. Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru. Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro. Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa, vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya. Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sokwomukadzi wosununguka. Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva. Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi. Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama. Gomo reZioni rinofara, misha yeJudha inofarisisa nokuda kwokutonga kwenyu. Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro, fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kurudzi runotevera. Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo. Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema. [1] Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika, vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete. Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa. Ndicharerekera nzeve yangu kuchirevo; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika. Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza, vaya vanovimba nepfuma yavo vanozvikudza nepfuma yavo zhinji? Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe kana kupa Mwari rudzikinuro rwake, rudzikinuro rwoupenyu runokosha, hakuna muripo unoringana nahwo, kuti ararame nokusingaperi uye kuti asaona kuora. Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa; mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa, uye vanosiyira vamwe pfuma yavo. Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi, nougaro hwavo kusvikira kumarudzi asingaperi, kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo. Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa. Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita, namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura. Sera Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo. Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera Usanyanya kutya kana munhu apfuma, kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa; nokuti haana chaachatora paanofa; kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda. Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa, uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira, achabatana norudzi rwamadzibaba ake, vasingazoonizve chiedza choupenyu. Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi akaita semhuka dzinofa. Pisarema raAsafi. [1] Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira. Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya. Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza. Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti: “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.” Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu. Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu. Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako, nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru. Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu. Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi. Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here? Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro, uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.” Asi kuna vakaipa, Mwari anoti, “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako? Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako. Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako. Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera. Unogara uchipomera hama yako nokuitira mwanakomana wamai vako makuhwa. Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako. “Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai: Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.” Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yakauya muprofita Natani kwaari shure kwokuita upombwe kwaDhavhidhi naBhatishebha. [1] Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru. Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu. Ndakakutadzirai imi, iyemi moga nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu, kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu. Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa, ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu. Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo; munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati. Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena; ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando. Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa; itai kuti mapfupa amakapwanya afare. Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu uye mudzime zvakaipa zvangu zvose. Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu. Regai kundirasa pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri. Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu, uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise. Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu, uye vatadzi vachatendeukira kwamuri. Ndiponesei pamhosva yeropa, imi Mwari, iyemi Mwari anondiponesa, ipapo rurimi rwangu ruchaimba zvokururama kwenyu. Haiwa Ishe, zarurai miromo yangu, ipapo muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu. Hamufariri chibayiro, ndingadai ndakuvigirai, imi hamufariri zvipiriso zvinopiswa. Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori. Pamufaro wenyu wakanaka, itai kuti Zioni ribudirire; muvake masvingo eJerusarema. Ipapo pachava nezvibayiro zvakarurama, zvipiriso zvinopiswa zvakazara zvinokufadzai; ipapo hando dzichabayirwa paaritari yenyu. Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.” [1] Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba? Unozvikudzirei zuva rose, iyewe unonyadzisa pamberi paMwari? Rurimi rwako runofarira zvokuparadza; rwakaita sechisvo chakarodzwa, iyewe unogara uchingonyengera. Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka, kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza, iwe rurimi runonyengera! Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi: Achakubvuta agokubvisa mutende rako; achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera Vakarurama vachazviona uye vachatya; vachamuseka vachiti, “Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi aivimba nepfuma yake zhinji, uye aisimba nokuparadza vamwe!” Asi ini ndakaita somuti womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari; ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari, nokusingaperi-peri. Ndichakurumbidza, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita; ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka. Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu. Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo eMaharati. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. [1] Benzi rinoti mumwoyo maro, “Mwari hakuna.” Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa; hakuna anoita zvakanaka. Mwari anotarira ari kudenga, pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, kana aripo anotsvaka Mwari. Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure, vakava vakaora pamwe chete; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe. Ko, vaiti vezvakaipa havangadzidzi here, vaya vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa, uye vasingadani kuna Mwari? Havo, vakazadzwa nokutya, ipo pasina chavangatya. Mwari akaparadzira mapfupa avanhu vaikurwisa; makavanyadzisa, nokuti Mwari akavazvidza. Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwabuda kubva muZioni; Mwari paachadzosera nhaka yavanhu vake; Jakobho ngaafarisise uye Israeri ngaafarisise! Kumutungamiri wokuimba nomitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?” [1] Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu. Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu. Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari. Sera Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira. Zvakaipa ngazvimonere pana avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu. Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka. Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu. Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. [1] Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari; regai kushaya hanya nokukumbira kwangu; ndinzwei, uye ndipindureiwo. Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana, pandinonzwa inzwi romuvengi wangu, pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu, uye vanondituka mukutsamwa kwavo. Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu kunondiwira. Kutya nokudedera zvakandibata; kutya kukuru kwakandifukidza. Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva! Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu, ndaitizira kure kwazvo, ndikandogara mugwenga; Sera ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu, kure nemafungu nedutu.” Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta. Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire; utsinye nokumanikidza zviri mukati maro. Masimba okuparadza azere muguta; kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro. Dai ndatukwa nomuvengi, ndaigona kushinga hangu; dai muvengi aindimukira, ndaigona kumuvanda hangu. Asi ndiwe, munhu akaita seni, mumwe wangu, shamwari yangu yapedyo, yandaimbofarira kuwadzana nayo pataifamba navazhinji mumba maMwari. Rufu ngaruwane vavengi vangu vasingafungiri; ngavaburukire muguva vari vapenyu, nokuti kuipa kwakawana pokugaro pakati pavo. Asi ini ndinodana kuna Mwari, uye Jehovha anondiponesa. Madekwana, mangwanani namasikati ndinochema mukushushikana, uye iye anonzwa inzwi rangu. Anondidzikinura ndisina kukuvara kubva pahondo inondirwisa, kunyange zvazvo vazhinji vachindipikisa. Mwari, agere pachigaro choushe nokusingaperi, achavanzwa agovaninipisa, Sera ivo vanhu vasingamboshanduri nzira dzavo, uye vasingatyi Mwari. Mumwe wangu anorova shamwari dzake; anoputsa sungano yake. Mutauro wake unotsvedzerera samafuta, asi kurwa kuri mumwoyo make; mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta, asi minondo yakavhomorwa. Kanda kufunganya kwako pana Jehovha uye iye achakusimbisa; haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi. Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi mugomba rokuora; vanhu vanokarira ropa navanyengeri havangararami hafu yamazuva avo. Asi kana ndirini, ndinovimba nemi. Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva pamiOuki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati. [1] Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni. Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo. Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi. Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei? Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza. Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya. Ngavasapukunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari. Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here? Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure pandinodanidzirai kuti ndibatsirwe. Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu. Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu. Ko, munhu angandiitei? Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari; ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga. Nokuti makandirwira parufu, uye netsoka dzangu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi penyu muchiedza choupenyu. Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakatiza kubva kuna Sauro akapinda mubako. [1] Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni, nokuti mweya wangu unovanda mamuri. Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu, kusvikira njodzi yapfuura. Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro, kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri. Anotuma kubva kudenga agondiponesa, achituka vaya vanondidzingirira nehasha; Sera Mwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake. Ndiri pakati peshumba; ndinovata pakati pemhuka dzinokara, ivo vanhu vana meno amapfumo nemiseve, vane ndimi dzinopinza seminondo. Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose. Vanowaririra tsoka dzangu mimbure, ndakakotamiswa pasi nenhamo. Vakachera gomba panzira yangu, asi vakawiramo vamene. Sera Mwoyo wangu wakasimba, imi Mwari, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba uye ndichaimba rwiyo. Chimuka iwe mweya wangu! Mukai imi mutengeranwa nembira! Ini ndichamutsa mambakwedza. Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi; ndichakuimbirai pakati pamarudzi. Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga; kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro. Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose. Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. [1] Ko, imi vatongi munotaura kururamisira here? Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here? Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu, uye maoko enyu anomanikidza panyika. Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema. Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo, isingateereri maimbiro en'anga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru. Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba! Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare. Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negambemwedzi, ngavarege kuona zuva. Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa. Vakarurama vachafara pavachatsivirwa, pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa. Ipapo vanhu vachati, “Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro; zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.” Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro unoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye. [1] Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari; Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira. Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa. Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha. Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu! Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mukai murange ndudzi dzose; musanzwira ngoni vakaipa navapanduki. Sera Vanodzoka madekwana, vachihon'a sembwa, uye vachinyahwaira muguta. Onai zvavanorutsa mumiromo yavo: vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo, uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?” Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka; munodadira ndudzi dzose. Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida achanditungamirira. uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva. Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu, zvimwe vanhu vangu vangakanganwa. Musimba renyu itai kuti vadzungaire, uye muvaderedze. Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo, nokuda kwamashoko emiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo. Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura, vaparadzei nehasha dzenyu, vaparadzei kusvikira vapera. Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho. Sera Vanodzoka madekwana, vachihon'a sembwa, uye vachinyahwaira muguta. Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya, uye vanohuhudza kana vasina kuguta. Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu, ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani; nokuti imi muri nhare yangu, utiziro hwangu panguva dzokutambudzika. Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokurumbidza; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida. Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro we“Ruva reMahapa reSungano.” Rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa. Paakarwa neAramu Naharaimi neAramu Zobha, uye panguva yakadzoka Joabhu akaparadza zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu muMupata woMunyu. [1] Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa; makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu! Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati; gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka. Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma; makatipa waini inotidzedzeresa. Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza kuti urege kupfaranyurwa neuta. Sera Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi, kuti avo vamunoda varwirwe. Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti: “Ndichaganhura Shekemu nesimba uye ndichayera Mupata weSukoti. Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu yakasimba, Judha itsvimbo yangu. Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambira, pamusoro paEdhomu ndipo pandinokanda shangu yangu; pamusoro paFiristia ndinopururudza mukukunda.” Ndianiko achandiisa kuguta rakakomberedzwa? Ndianiko achanditungamirira kuenda kuEdhomu? Hamusimi, iyemi Mwari, iyemi makatiramba here, uye mukarega kubuda nehondo dzedu? Tibatsirei pavavengi vedu, nokuti rubatsiro rwavanhu haruna maturo. NaMwari wedu, tichakunda, uye achatsikira vavengi vedu pasi. Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi. [1] Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu. Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakareba kundipfuura. Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu. Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu. Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi. Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire. Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo, uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva. Kumutungamiri wokuimba, Jedhutuni. Pisarema raDavhidhi. [1] Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari. Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi. Muchasvika kupiko muchingorova munhu? Ko, imi mose muchamukanda pasi here, iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa? Vanofunga kwazvo zvokumuwisira pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira; vanofarira nhema. Vanoropafadza nemiromo yavo, Asi vachituka mumwoyo yavo. Sera Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari. Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi. Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu. Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo, asi vanokudzwa inhema bedzi; kana vakayerwa havaremi, havazi chinhu; vose pamwe chete vanongova mweya. Regai kuvimba noupambi kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba; kunyange pfuma yenyu ichiwanda, regai kuisa mwoyo yenyu pairi. Chinhu chimwe chakataurwa naMwari, zvinhu zviviri zvandakanzwa: Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba, uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo. Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita. Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha. [1] Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura. Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu. Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai. Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu. Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo; muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo. Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu; ndinokufungai panguva dzose dzousiku. Nokuti muri mubatsiri wangu, ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu. Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira. Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi. Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava. Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndinzweiwo, imi Mwari, pandinotaura chichemo changu; dzivirirai upenyu hwangu pakutyisidzira kwavavengi. Ndivanzei pakurangana kwavakaipa, ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa. Vanorodza ndimi dzavo seminondo, uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya. Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva; vanomupfura pakarepo, vasingatyi. Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa, vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti, “Ndianiko achaiona?” Vanorangana kusaruramisira vachiti, “Tafunga zano rakakwana!” Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera. Asi Mwari achavapfura nemiseve; pakarepo vachawira pasi. Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire, uye achavaisa pakuparadzwa; vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka. Marudzi ose avanhu achatya; achaparidza mabasa aMwari, uye achafungisisa zvaakaita. Vakarurama ngavafare muna Jehovha uye vavande maari; vose vakarurama mumwoyo ngavamurumbidze! Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. [1] Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni; kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa. Haiwa, imi munonzwa munyengetero, vanhu vose vachauya kwamuri. Patakanga takafukidzwa nezvivi, makakanganwira kudarika kwedu. Vakaropafadzwa avo vamunosarudza navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu! Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu, zvetemberi yenyu tsvene. Munotipindura namabasa okururama anotyisa, imi Mwari Muponesi wedu, tariro yemigumo yepasi pose namakungwa ari kure kure, iyemi makaumba makomo nesimba renyu, makazvishongedza nesimba, iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungu aro, nokupopota kwendudzi. Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu; uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera, munodanidzira nziyo dzomufaro. Mune hanya nenyika uye munoidiridza; munoipfumisa kwazvo. Hova dzaMwari dzizere nemvura kuti dzivigire vanhu zviyo, nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira. Munozadza mihoronga yacho nemvura, uye munoenzanisa mihomba yacho; munoinyorovesa nemvura inopfunha munoropafadza zvibereko zvayo. Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu, uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda. Uswa hwomurenje hwopfachukira; zvikomo zvakafukidzwa nomufaro. Mafuro azara namapoka emakwai, uye mipata yafukidzwa nezviyo; zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba. Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo. Pisarema. [1] Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose! Imbirai mukurumbira wezita rake; murumbidze zvikuru kukudzwa kwake! Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei! Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu vanodedera pamberi penyu. Nyika yose inokukotamirai; vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza, vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.” Sera Uyai muone zvaitwa naMwari, mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu! Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari. Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike; iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka. Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha. Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu. Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda. Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri, mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo. Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondohwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; regai ndikuudzei zvaakandiitira. Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu. Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa; asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero. Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri! Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema. Rwiyo. [1] Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose. Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza. Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya. Mutungamiri mukuru wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. [1] Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; vavengi vake ngavatize pamberi pake. Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo, saizvozvo vapeperetsei; sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto, vakaipa ngavaparare pamberi paMwari. Asi vakarurama ngavafare, uye vafarisise pamberi paMwari; ngavafare uye vapembere. Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore, zita rake ndiJehovha, uye farai pamberi pake. Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene. Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri, anosesedza vasungwa vachiimba; asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva. Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari, pamakafamba napakati perenje, Sera nyika yakazungunuka, matenga akadurura mvura, pamberi paMwari, iye weSinai, pamberi paMwari, iye Mwari waIsraeri. Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji; mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe. Vanhu venyu vakagaramo, uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo. Ishe akataura shoko, vakadzi vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo: “Madzimambo navarwi vakakurumidza kutiza; mumisasa, vanhu vakagovana zvakapambwa. Kunyange pamunenge makavata pakati pemoto yemisasa, mapapiro enjiva yangu akafukidzwa nesirivha, minhenga yayo negoridhe rinovaima.” Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika, zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni. Makomo eBhashani makomo oushe; makomo eBhashani akati twi. Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi, pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo, pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi? Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru nezviuru zvezviuru; Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai. Pamakakwira kumusoro, makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu; mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu, kunyange zvaibva kuna vakapanduka, kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo. Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu, anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Sera Mwari wedu ndiMwari anoponesa; kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha. Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake, panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo. Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani; ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa, kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako, ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.” Mudungwe wenyu wakaonekwa, imi Mwari, mudungwe waMwari wangu naMambo achipinda munzvimbo tsvene. Mberi kuna vaimbi, vachiteverwa navaridzi vemitengeranwa; pamwe chete navarandakadzi vachiridza matambureni. Rumbidzai Mwari paungano huru; rumbidzai Mwari pagungano raIsraeri. Tarirai, rudzi ruduku rwaBhenjamini runovatungamirira, hawo machinda mazhinji aJudha, uye hawo machinda aZebhuruni neaNafutari. Danai simba renyu, imi Mwari; tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare. Nokuda kwetemberi yenyu paJerusarema, madzimambo achakuvigirai zvipo. Tukai mhuka dziri pakati petsanga, mapoka ehando ari pakati pemhuru dzendudzi. Ngaiuye nesirivha, yakazvininipisa. Paradzirai ndudzi dzinofarira kurwa. Nhume dzichabva kuIjipiti; Etiopia ichazviisa pasi paMwari. Imbirai Mwari, imi ushe hwepasi, rumbidzai Ishe nenziyo, Sera kuna iye anotasva matenga akare kumusoro, iye anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba. Paridzai simba raMwari, iye ano ushe huri pamusoro peIsraeri, ane simba riri kudenga denga. Munotyisa imi Mwari, muri panzvimbo yenyu tsvene; Mwari waIsraeri anopa ushe nesimba kuvanhu vake. Mwari ngaarumbidzwe! Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo a“Maruva eMahapa.” Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndiponesei, imi Mwari, nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu. Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pangatsika makumbo angu. Ndapinda mumvura yakadzika; ndafukidzwa namafashamu. Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe; huro dzangu dzaoma, meso angu aneta, nokumirira Mwari wangu. Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba. Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari; mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri. Vaya vane tariro mamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose; vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Mwari waIsraeri. Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu, uye nyadzi dzafukidza chiso changu. Ndiri mutorwa kuhama dzangu, nomweni kuvanakomana vamai vangu; nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu. Pandinochema nokutsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa; pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo. Vaya vanogara pasuo vanondiseka, uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa. Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari, panguva inokufadzai; murudo rwenyu rukuru, imi Mwari, ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi. Ndinunurei mumatope, musandirega ndichinyura; ndirwirei kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika. Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze, kana kwakadzika kuti kundimedze kana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu. Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu; dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko. Swederai pedyo mundinunure; ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu. Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu; vavengi vangu vose vari pamberi penyu. Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu, uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira; Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya, vangandinyaradza, asi ndakavashayazve. Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu, uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota. Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo; ngaive shamhu yokuranga neriva. Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona, uye misana yavo iminame nokusingaperi. Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo; kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire. Nzvimbo yavo ngaisiyiwe; ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo. Nokuti vanotambudza vaya vamakarova, uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi. Vapei mhosva pamusoro pemhosva; ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu. Ngavadzimwe mubhuku roupenyu, uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama. Ndiri pakurwadziwa nenhamo; ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire. Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, uye ndichamukudza nokuvonga. Izvi zvichafadza Jehovha kukunda nzombe, kupfuura hando nenyanga dzayo, namahwanda ayo. Varombo vachazviona uye vachafara, imi vanotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame! Jehovha anonzwa vanoshayiwa uye haashori vanhu vake vakatapwa. Denga nenyika ngazvimurumbidze, makungwa nezvose zvinofamba, imomo, nokuti Mwari achaponesa Zioni agovakazve maguta aJudha. Ipapo vanhu vachagarako, vagoritora; Vana vavaranda vake vacharipiwa senhaka, uye avo vanoda zita rake vachagara ikoko. Kurumidzai kundiponesa, imi Mwari; Haiwa Jehovha kurumidzai kuuya mundibatsire. Vanotsvaka upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vakanganiswe; vose vanofarira kuparara kwangu ngavadzorwe shure vanyare. Vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavadzorerwe shure nokuda kwenyadzi dzavo. Asi vose vanokutsvakai ngavafare nokufarisisa mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavagare vachiti, “Mwari ngaakudzwe!” Asi ndiri murombo nomushayiwi; uyai nokukurumidza kwandiri, imi Mwari. Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Haiwa Jehovha, musanonoka. Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; ngandirege kutongonyadziswa. Ndinunurei uye mundirwire mukururama kwenyu; rerekerai nzeve yenyu kwandiri uye mundiponese. Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda; rayirai kuti ndiponeswe, nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu. Haiwa Mwari wangu, ndirwirei, paruoko rwowakaipa, pakubatwa navanhu vakaipa uye vane utsinye. Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha, ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu. Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu; ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu. Ndicharamba ndichikurumbidzai. Ndava sechishamiso kuvazhinji, asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba. Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu, ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose. Regai kundirasa pandinenge ndakwegura; musandisiya kana simba rangu rapera. Nokuti vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu; avo vakamirira kundiuraya vanorangana pamwe chete. Vanoti, “Mwari amusiya; muteverei mumubate, nokuti hakuna achamununura.” Regai kuva kure neni, imi Mwari; uyai nokukurumidza, imi Mwari wangu, mundibatsire. Vapomeri vangu ngavaparare vanyadziswe; vaya vanoda kundikuvadza ngavafukidzwe nokusekwa nokunyadziswa. Asi kana ndirini, ndichagara ndine tariro; ndicharamba ndichikurumbidzai zvakanyanya. Muromo wangu uchareva zvokururama kwenyu, nezvoruponeso rwenyu zuva rose, kunyange ndisingazivi chiyero charwo. Ndichauya ndichiparidza mabasa enyu makuru, imi Ishe Jehovha; ndichaparidza kururama kwenyu, iyemi moga. Kubva pauduku hwangu, imi Mwari, makandidzidzisa, nanhasi uno ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa. Kunyange pandinenge ndakwegura uye bvudzi rachena, musandisiya, imi Mwari, kusvikira ndaparidza simba renyu kurudzi runotevera, nesimba renyu kuna vose vari kuzouya. Kururama kwenyu kunosvika kudenga kumusoro, imi Mwari, iyemi makaita zvinhu zvikuru. Haiwa Mwari, ndiani akafanana nemi? Kunyange imi makandiratidza matambudziko mazhinji uye anorwadza, muchadzosa upenyu hwangu zvakare; kubva kwakadzika kwepasi muchandibudisazve. Muchawedzera kukudzwa kwangu, uye muchandinyaradzazve. Ndichakurumbidzai nembira nokuda kwokutendeka kwenyu, imi Mwari wangu; ndichakurumbidzai nenziyo nomutengeranwa, imi Mutsvene woga waIsraeri. Miromo yangu ichadanidzira nomufaro pandinokurumbidzai nenziyo, iyeni, wamakadzikinura. Rurimi rwangu ruchataura nezvamabasa enyu akarurama zuva rose, nokuti avo vaida kundikuvadza vanyadziswa uye vakanganiswa. Pisarema raSoromoni. [1] Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari, mwanakomana wamambo nokururama kwenyu. Iye achatonga vanhu venyu nokururama, navanonetswa venyu nokururamisira. Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama. Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri. Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera, achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa, seguti rinonyorovesa nyika. Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka; kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma. Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa, uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika. Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake, uye vavengi vake vachananzva guruva. Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure vachamuvigira mutero; madzimambo eShebha neSebha vachamupa zvipo. Madzimambo ose achamupfugamira uye ndudzi dzose dzichamushandira. Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira; vanonetswa vasina anovabatsira. Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu. Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa chisimba, nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake. Iye ngaararame upenyu hurefu! goridhe rinobva kuShebha ngaripiwe kwaari. Vanhu ngavarambe vachimunyengeterera uye vamuropafadze zuva rose. Zviyo ngazviwande munyika yose; ngazvizengaire pamusoro pezvikomo. Zvibereko zvazvo ngazvikure zvakanaka seRebhanoni; ngazvibukire sebundo romusango. Zita rake ngarigare nokusingaperi; ngarirambe riripo sokuvapo kwezuva. Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza naye, uye vachamuti, ano mufaro. Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, iye oga anoita mabasa anoshamisa. Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; nyika yose ngaizadzwe nokubwinya kwake. Ameni naAmeni. Ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese. Pisarema raAsafi. [1] Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo. Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika. Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa. Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba. Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu. Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza nechisimba. Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo. Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe. Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika. Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda. Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?” Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina. Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose. Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu. Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo. Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa! Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka. Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika, ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu. Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi. Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu. Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu. Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi. Avo vari kure nemi vachaparara; munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri. Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari. Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu; ndichataura zvamabasa enyu ose. Masikiri raAsafi. [1] Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi? Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi? Rangarirai vanhu vamakatenga kare, rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura, Gomo reZioni, pamaigara. Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi, kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene. Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu; vakamisa mireza yavo sechiratidzo. Vakaita savanhu vanosimudza matemo kuti vateme dondo remiti. Vakaputsa zvose zvakavezwa namatemo avo nembezo. Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene; vakamhura ugaro hweZita renyu. Vakati mumwoyo yavo, “Tichavaputsa zvachose!” Vakapisa nzvimbo dzose dzokunamatira Mwari munyika. Hatichaoni zviratidzo zvinoshamisa; hakuna muprofita akasara, pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira rini. Haiwa Mwari, muvengi acharamba achikushorai kusvikira riniko? Ko, muvengi acharamba achimhura zita renyu nokusingaperi here? Munodzoserereiko ruoko rwenyu shure, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rubvisei pamupendero wenguo yenyu muvaparadze! Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika. Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura. Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga. Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera. Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi. Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando. Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu. Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango; regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa. Ivai nehanya nesungano yenyu, nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika. Musarega vakadzvinyirirwa vachidududza shure nenyadzi; varombo navanoshayiwa ngavarumbidze zita renyu. Simukai, imi Mwari, mutsigire mhaka yenyu; rangarirai kuti mapenzi anokushorai sei zuva rose. Regai kushayira hanya ruzha rwavadzivisi venyu, bope ravavengi venyu, rinoramba richikwira. Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo. [1] Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai, nokuti Zita renyu riri pedyo; vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa. Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa; ndini ndinotonga zvakarurama. Panozununguka nyika yose navanhu vayo, ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba. Sera Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’ uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu. Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga; regai kutaura nemitsipa mikukutu.’ ” Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira, kana anobva kugwenga angasimudzira munhu. Asi Mwari ndiye anotonga: Anoderedza mumwe, achisumudzira mumwe. Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo. Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi; ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza. Ndichagura nyanga dzavakaipa vose, asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro. Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raAsafi. Rwiyo. [1] Mwari anozivikanwa muJudha; zita rake iguru muIsraeri. Tende rake riri muSaremu, ugaro hwake paZioni. Ndipo paakavhuna miseve inovaima, nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa. Sera Imi makashongedzwa nechiedza, kupfuura makomo akapfuma nemhuka. Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa, vakavata hope dzavo dzokupedzisira; hakuna mumwe wavarwi angasimudza maoko ake. Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho, zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro. Imi moga ndimi munofanira kutyiwa. Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu? Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu, uye nyika yakatya ikanyarara, haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge, kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa, uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa. Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa; nyika dzose dzakakupoteredzai ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa. Anoputsa mweya yavatongi; anotyiwa namadzimambo enyika. Kumutungamiri wokuimba zveJedhutuni. Pisarema raAsafi. [1] Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe. Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa. Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera; ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera Makakonesa meso angu kutsinzina; ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura. Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare kare; ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati, “Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? haachazombonzwiri ngonizve here? Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here? chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?” Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pana izvozvi: makore oruoko rworudyi rwoWokumusorosoro.” Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare. Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru. Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu? Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu. Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda. Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nomutinhiro; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko. Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka. Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi. Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni. Masikiri raAsafi. [1] Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu; teererai mashoko omuromo wangu. Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare, zvatakanzwa nezvatakaziva, zvatakaudzwa namadzibaba edu. Hatingazozvivanziri vana vavo; tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, simba rake, nezvishamiso zvaakaita. Akatema zvirevo zvaJakobho akasimbisa murayiro muIsraeri, waakarayira madzitateguru edu kuti vadzidzise vana vavo, kuti rudzi runotevera ruzvizive, kunyange vana vachazoberekwa, naivo vagozoudzawo vana vavo. Ipapo vachavimba naMwari wavo uye havangazokanganwi mabasa ake asi vachazochengeta mirayiro yake. Havazofanani namadzitateguru avo, rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira, mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari, mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari. Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta, vakadzokera shure pazuva rokurwa; havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake. Vakakanganwa zvaakaita, zvishamiso zvaakavaratidza. Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani. Akapamura gungwa akavayambutsa napakati; akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo. Akavatungamirira negore masikati, uye nechiedza chomoto usiku hwose. Akapamura ruware mugwenga akavapa mvura yakawanda seyamakungwa; akabudisa hova dzemvura paruware akaita kuti iyerere seyenzizi. Asi vakaramba vachingomutadzira, vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga. Vakaedza Mwari nobwoni vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga. Vakapopotera Mwari, vachiti, “Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here? Paakarova dombo, mvura yakatubuka, uye hova dzakayerera mvura zhinji. Asi angagona kutipawo zvokudya here? Angavigira vanhu vake nyama here?” Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri, nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake. Asi akarayira matenga kumusoro akazarura magonhi okumatenga; akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya. Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake. Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa. Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose. Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga. Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo, kutsamwa kwaMwari kwakavamukira; akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo, akaparadza majaya eIsraeri. Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda. Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya. Pose pavairayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka; vaishingairira kudzokerazve kwaari. Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo, kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo. Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo, vachimurevera nhema nendimi dzavo; mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake. Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose. Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki. Vakamumukira mugwenga kazhinji sei, uye vakamuitisa shungu murenje! Vakaedza Mwari vamuedzazve; vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri. Havana kurangarira simba rake, zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri, zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti, zvishamiso zvake mudunhu reZoani. Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa; havana kugona kunwa muhova dzavo. Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza, uye matatya akavaparadza zvikuru. Akapa zviyo zvavo kumagutaguta nezvibereko zvavo kumhashu. Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe, uye namaonde emionde yavo nechando. Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe, nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni. Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza. Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda. Akauraya matangwe ose eIjipiti, chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu. Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga. Akavafambisa norugare, asi gungwa rakamedza vavengi vavo. Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi. Akadzinga ndudzi mberi kwavo, akagovera nyika yavo kwavari senhaka; akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo. Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake. Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera. Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo. Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose. Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu. Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi. Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo. Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa; vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema. Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini. Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi. Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu; asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai; akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake. Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri. Pisarema raAsafi. [1] Haiwa Mwari, ndudzi dzapinda panhaka yenyu; vakasvibisa temberi yenyu tsvene, Jerusarema varideredza rikava marara. Vakapa mitumbi yavaranda venyu sezvokudya zveshiri dzedenga, nyama yavatsvene venyu kuzvikara zvenyika. Vakateura ropa kunge mvura paJerusarema rose, uye hakuna munhu anoviga zvitunha. Tiri chinhu chinoshorwa navatigere navo, chinosekwa nechinozvidzwa kuna avo vakatipoteredza. Haiwa Jehovha, mucharamba makatitsamwira nokusingaperi kusvikira riniko? Godo renyu richapisa somoto kusvikira riniko? Dururirai hasha dzenyu pamusoro pendudzi dzisingakuzive, napaushe husingadani kuzita renyu; nokuti vakapedza Jakobho uye vakaparadza nyika yokwake. Regai kuverengera pamusoro pedu zvivi zvamadzibaba; tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya kuzosangana nesu, nokuti tiri pakutambudzika. Tibatsirei, imi Mwari Muponesi wedu, nokuda kwokukudzwa kwezita renyu; tirwirei mutiregerere zvivi zvedu nokuda kwezita renyu. Ndudzi dzichataurireiko dzichiti, “Mwari wavo aripi?” Zivisai pakati pendudzi, pamberi pedu, kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rakateurwa. Kugomera kwavasungwa ngakusvike pamberi penyu; nesimba roruoko rwenyu chengetedzai avo vakatongerwa rufu. Mutsive kanomwe pamabvi avavakidzani vedu, kutuka kwavakaita zita renyu, imi Ishe. Ipapo vanhu venyu, makwai amafuro enyu, vachakurumbidza nokusingaperi; kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi, ticharondedzera nezvokurumbidzwa kwenyu. Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro wa “Maruva amahapa esungano.” Pisarema raAsafi. [1] Tinzwei, imi Mufudzi weIsraeri, imi makatungamirira Josefa seboka ramakwai; iyemi munogara pachigaro choushe pakati pamakerubhi, penyai pamberi peEfuremu, Bhenjamini naManase. Mutsai simba renyu; uyai mutiponese. Tidzorei, imi Mwari, penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe. Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, kutsamwa kwenyu kucharamba kuchipisa pamusoro peminyengetero yavanhu venyu kusvikira riniko? Makavapa chingwa chemisodzi kuti vadye; makaita kuti vanwe misodzi yakawanda. Makatiita mavambo enharo kuna vatigere navo, uye vavengi vedu vanotiseka. Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe. Makabudisa muzambiringa kubva muIjipiti; makadzinga ndudzi mukaudyara. Makaukurira nzvimbo, uye ukava nemidzi ukazadza nyika. Makomo akanga akafukidzwa nomumvuri wawo, nemisidhari mikuru namatavi awo. Wakatandavadza matavi awo kusvikira kuGungwa, namabukira awo kusvikira kuRwizi. Seiko makaputsa masvingo awo kuti vose vanopfuura napo vanonge mazambiringa awo? Nguruve dzinobva musango dzinouparadza, uye zvisikwa zvesango zvinoudya. Dzokerai kwatiri, imi Mwari Wamasimba Ose! Tarirai muri kudenga muone! Rindai muzambiringa uyu, iwo mudzi wakasimwa noruoko rwenyu rworudyi, mwanakomana wamakazvirerera. Muzambiringa wenyu watemerwa pasi, wapiswa nomoto; pakutuka kwenyu, vanhu venyu vanofa. Ruoko rwenyu rworudyi ngarugare pamusoro pomunhu ari kurudyi kwenyu, mwanakomana womunhu wamakazvirerera. Ipapo hatingazobvi kwamuri; timutsiridzei, tigodana kuzita renyu. Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe. Kumutungamiri wokuimba. namaimbirwo egititi. Pisarema raAsafi. [1] Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu; danidzirai kuna Mwari waJakobho! Vambai rwiyo, muridze tambureni, ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa. Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi, uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu; ichi ndicho chirevo chaIsraeri, chakatarwa naMwari waJakobho. Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa panguva yaakandorwa neIjipiti, uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi. Iye akati, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo; maoko avo akasunungurwa padengu. Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura, ndakakupindura ndiri mugore romutinhiro; ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha. Sera Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai, kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri! Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa, musapfugamira mwari wokumwe. Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva munyika yeIjipiti. Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza. “Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa, Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu. Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo, kuti vatevere mano avo. “Kana vanhu vangu vakada kunditeerera, kana Israeri akada kutevera nzira dzangu, ndaikurumidza kukunda sei vavengi vavo nokurova vavengi vavo noruoko rwangu! Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake, uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi. Asi imi muchagutswa nezviyo zvakaisvonaka; uye ndichakugutsai nouchi hunobva padombo.” Pisarema raAsafi. [1] Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti, “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa. Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa. “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa. “Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana voWokumusorosoro.’ Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.” Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu. Rwiyo. Pisarema raAsafi. [1] Haiwa Mwari, regai kunyarara; musanyarara, imi Mwari, musati mwiro. Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu, namasimudziro avaita misoro yavo. Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vomunochengeta zvakanaka. Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.” Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi, matende eEdhomu nevaIshumaeri, neMoabhu navaHagari, Gebha, Amoni neAmareki, Firistia, navanhu veTire. Kunyange neAsiria yabatana navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia, sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni, ivo vakafira paEndori uye vakava sendove pamusoro pevhu. Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi, machinda avo ose saZebha naZarumuna, ivo vakati, “Handei tindotora mafuro aMwari.” Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira, sehundi inodzingwa nemhepo. Somoto unopisa sango kana moto unoririma mugomo, saka vateverei nedutu renyu mugovavhundutsa nomutinhiro wenyu. Fukidzai zviso zvavo nenyadzi kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha. Ngavarambe vachinyadziswa uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo. Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha, ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose. Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo egititi. Pisarema ravanakomana vaKora. [1] Ugaro hwenyu hwakanaka sei, imi Jehovha Wamasimba Ose! Mweya wangu unopanga, kunyange kuziya chaiko, nokuda kwevanze dzaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu. Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu. Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu; vanogara vachikurumbidzai. Sera Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri, vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni. Pavanopfuura nomuMupata weBhaka, vanouita nzvimbo yamatsime; mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva. Vanowedzera simba pasimba, kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho. Sera Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu; ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu. Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete, kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe; ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari wangu kukunda kugara mumatende avakaipa. Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo; Jehovha anopa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima avo vanofamba zvakarurama. Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, akaropafadzwa munhu anovimba nemi. Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. [1] Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha; makadzosera Jakobho nhaka yake. Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, uye mukafukidza zvivi zvavo zvose. Sera Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose, mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa. Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu, mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu. Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here? Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kumarudzi namarudzi here? Ko, hamungatimutsiridzizve here, kuti vanhu venyu vagofara mamuri? Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha, mugotipawo ruponeso rwenyu. Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari; anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake, asi ngavasadzokerazve kuupenzi. Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu. Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana. Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga. Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka, uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo. Kururama kuchamutungamirira, uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake. Munyengetero waDhavhidhi. [1] Inzwai, imi Jehovha, uye mundipindure, nokuti ndiri murombo nomushayiwi. Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri. Muri Mwari wangu; ponesai muranda wenyu anovimba nemi. Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose. Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu. Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu. Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu, nokuti muchandipindura. Haiwa Ishe, hakuna akafanana nemi pakati pavamwari; hakuna mabasa akaita seenyu. Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, imi Ishe; dzicharumbidza zita renyu. Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa; imi moga ndimi Mwari. Haiwa Jehovha, ndidzidzisei nzira yenyu, uye ndichafamba muzvokwadi yenyu; ndipei mwoyo mumwe, kuti ndigotya zita renyu. Ndichakurumbidzai, imi Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi. Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri; makandirwira paguva rakadzika. Haiwa Mwari, vanozvikudza vari kundirwisa; boka ravanhu vane utsinye rinotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasina hanya nemi. Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka. Dzokerai kwandiri mundinzwire ngoni; ipai simba renyu kumuranda wenyu, uye muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu. Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu, kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa, nokuti imi, Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza. Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo. [1] Akateya nheyo dzake pagomo dzvene; Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho. Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.” Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.” Rwiyo. Pisarema ravanakomana vaKora. Kumutungamiri wokuimba namaimbiro emaharati reanoti. Masikiri raHemani muEzrahi. [1] Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu. Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu. Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva. Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba. Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu. Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika. Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, makandifukidza namafungu enyu ose. Sera Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo, uye mukandiita chinhu chinonyangadza. Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki; meso angu asviba neshungu. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose; ndinotambanudzira maoko angu kwamuri. Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here? Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here? Sera Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva, nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here? Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima, kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here? Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha; mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu. Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu? Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro. Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza. Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu; ndakaputirwa nazvo chose. Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu; rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo. Masikiri raEtani muErahi. [1] Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi; ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kumarudzi namarudzi. Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi, uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko. Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti, ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi, uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kumarudzi namarudzi.’ ” Sera Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha, kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene. Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga? Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza. Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai. Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza. Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa; makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba. Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo; makavamba nyika nezvose zviri mairi. Ndimi makasika kumusoro nezasi; Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro. Ruoko rwenyu rwakazara nesimba; chanza chenyu chine simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa. Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; rudo nokutendeka zvinokutungamirirai. Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai, vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha. Vanofara muzita renyu zuva rose; vanofara mukururama kwenyu. Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo, uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu. Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha, mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri. Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene. Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa. Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira. Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake. Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu. Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi. Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’ Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika. Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi. Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, chigaro chake choushe chero matenga achingovapo. “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema, kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu, ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru; asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu. Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu. Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi, kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva; chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu. Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva. Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo. Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake. Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare. Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa. Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe. Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko? Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo! Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare ruripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi? Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei, kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose, kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha, pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu. Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi! Ameni naAmeni. Munyengetero waMozisi munhu waMwari. [1] Jehovha, imi makanga muri ugaro hwedu kubva kumarudzi namarudzi. Makomo asati azvarwa uye musati mabudisa nyika nepasi rose, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari. Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti, “Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.” Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku. Munokukura vanhu pakuvata kworufu; vakaita sebundo idzva ramangwanani, kunyange richimera riri idzva mangwanani, nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava. Tapera nokutsamwa kwenyu uye tinovhundutswa nehasha dzenyu. Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu. Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu; tinopedza makore edu nokuchema. Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe, kana makumi masere, kana tiine simba; kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa, nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka. Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu? Nokuti hasha dzenyu dzakakura sokutyiwa kwakakufanirai imi. Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka, kuti tiwane mwoyo wouchenjeri. Dzokai, imi Jehovha! Zvichadaro kusvikira riniko? Ivai netsitsi pamusoro pavaranda venyu. Tigutsei mangwanani norudo rwenyu rusingaperi, kuti tigoimba nomufaro tigofara mazuva edu ose. Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, samakore mazhinji atakaona nhamo. Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu, nokubwinya kwenyu kuvana vavo. Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu; tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu, simbisai basa ramaoko edu. Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro achazorora mumumvuri woWamasimba Ose. Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.” Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya. Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako. Haungatyiswi nokuvhundusa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati, kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati. Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi rwako, asi hazvingaswederi kwauri. Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa. Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu, ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako. Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose; vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo. Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka. “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu. Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza. Ndichamugutsa noupenyu hurefu, uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.” Pisarema. Rwiyo rweSabata. [1] Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro, kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku, nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira. Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu. Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei! Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi, kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi. Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi. Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa. Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu. Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa. Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni; wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu. Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva. Vachiparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.” Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo; Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba. Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi. Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare; imi muripo nokusingaperi. Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza, makungwa akasimudza manzwi awo; makungwa akasimudza mafungu anotinhira. Mukuru kukunda mutinhiro wemvura zhinji, mukuru kukunda mafungu egungwa, Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru. Zvirevo zvenyu hazvishanduki; utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha, kwamazuva asingaperi. Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva, haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai. Simukai, imi Mutongi wenyika; tsivai zvakafanira vanozvikudza. Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko, vachasvika riniko vakaipa vachingofara? Vanodurura mashoko okuzvikudza; vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza. Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha, vanodzvinyirira nhaka yenyu. Vanouraya chirikadzi nomweni; vanoponda nherera. Vanoti, “Jehovha haaoni; Mwari waJakobho haana hanya.” Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu; imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko? Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here? Iye akaumba ziso haangaoni here? Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here? Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here? Jehovha anoziva mirangariro yavanhu; anoziva kuti haina maturo. Akaropafadzwa munhu anorangwa nemi, iyemi Jehovha, munhu wamunodzidzisa pamurayiro wenyu; munomuzorodza pamazuva enhamo, kusvikira akaipa achererwa gomba. Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake; haangambosiyi nhaka yake. Kutonga kuchawanikwazve pamusoro pavakarurama, uye vose vakarurama pamwoyo vachakutevera. Ndianiko achandirwira pane vakaipa? Ndianiko achandibatsira pavaiti vezvakaipa? Dai Jehovha asina kundibatsira, ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu. Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,” rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira. Pandakava nokufunganya kukuru mandiri, kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu. Ko, chigaro choushe chino uori chingashamwaridzana nemi here, icho chinouyisa kutambudzika muzvirevo zvacho? Vanobatana pamwe chete kuti varwise vakarurama, vachipomera mhosva yorufu kuna vasina mhosva. Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu, uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira. Iye achavatsiva nokuda kwezvivi zvavo, uye achavaparadza nokuda kwezvakaipa zvavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza. Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu. Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo. Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose. Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake. Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma. Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu; nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga, pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita. Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.” Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.” Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, nyika yose. Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga. Kubwinya noumambo zviri pamberi pake; simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene. Remekedzai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha. Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake. Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake; dederai pamberi pake, imi nyika dzose. Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.” Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi; uye achatonga marudzi nokururama. Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise; gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri; masango ngaafare, nezvose zviri maari. Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro. ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika nokururama, uye vanhu nechokwadi chake. Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare. Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe. Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose. Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera. Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose. Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake. Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa, avo vanozvirumbidza nezvifananidzo, munamatei, imi vamwari vose! Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha. Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose; makasimudzirwa kupfuura vamwari vose. Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa, nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka uye anovarwira muruoko rwowakaipa. Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama, nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama. Farai muna Jehovha, imi vakarurama, uye mukudze zita rake dzvene. Pisarema. [1] Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa. Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi, Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu. Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose, imbai nziyo mupembere nomufaro; imbirai Jehovha nembira, nembira nenzwi rokuimba, nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondohwe, danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo. Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri, nenyika, navose vanogaramo. Nzizi ngadziuchire maoko adzo, makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro; ngaaimbe pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama navanhu nokururamisira. Jehovha anobata ushe, ndudzi ngadzidedere; anogara pachigaro choushe chiri pakati pamakerubhi, nyika ngaizungunuke. Jehovha mukuru paZioni; iye akasimudzirwa pamusoro pendudzi dzose. Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa, iye mutsvene. Mambo mukuru, anoda kururamisira, imi makasimbisa kururama; muna Jakobho makaita kururamisira nokururama. Kudzai Jehovha Mwari wedu nokunamata pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene. Mozisi naAroni vakanga vari pakati pavaprista vake, Samueri akanga ari pakati paavo vaidana kuzita rake, vakadana kuna Jehovha akavapindura. Akataura kwavari ari mushongwe yegore; vakachengeta zvipupuriro zvake nemitemo yaakavapa. Haiwa Jehovha Mwari wedu, imi makavapindura; makanga muri Mwari anokanganwira kuna Israeri, kunyange makavaranga pane zvavakaita. Kudzai Jehovha Mwari wedu mumunamate pagomo rake dzvene, nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye mutsvene. Pisarema rokuvonga. [1] Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose. Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro. Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatiita, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye. Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake. Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kumarudzi namarudzi. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza. Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa. Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri. Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa. Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro. Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika, kuti vagare neni; iye ane mafambiro asina chaangapomerwa, achandishumira. Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu. Mangwanani oga oga ndichaita kuti vanyarare, vakaipa vose vari panyika; ndichauraya vaiti vezvakaipa vose, vabve muguta raJehovha. Munyengetero womunhu anotambudzika. Paanenge aziya uye odurura kuchema kwake pamberi paJehovha. [1] Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; kuchemera kwangu rubatsiro ngakusvike kwamuri. Regai kundivanzira chiso chenyu pandinenge ndichitambudzika. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; pandinokudanai, ndipindurei nokukurumidza. Nokuti mazuva angu anopera soutsi; mapfupa angu anopisa samazimbe anopfuta. Mwoyo wangu warohwa uye waoma souswa; ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu. Nokuda kwokugomera kwangu kukuru ndaonda zvokuti ganda rangu ranamatira pamapfupa. Ndafanana nezizi romugwenga, sezizi riri pakati pamatongo. Ndinovata ndakasvinura, ndava seshiri iri yoga pamusoro pedenga. Zuva rose vavengi vangu vanondituka; avo vanondipengera vanoshandisa zita rangu sechituko. Nokuti ndinodya madota sechokudya changu, uye ndinovhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi, nokuda kwehasha dzenyu huru, nokuti makandisimudza mukandikanda parutivi. Mazuva angu akaita somumvuri wamadekwana; ndinosvava souswa. Asi imi, iyemi Jehovha, munogara pachigaro choushe nokusingaperi; mukurumbira wenyu uripo kusvikira kumarudzi namarudzi. Imi muchasimuka mugonzwira Zioni tsitsi, nokuti ndiyo nguva yokurinzwira nyasha; nguva yakatarwa yasvika. Nokuti matombo aro anokosha kuvaranda venyu; guruva raro chairo rinovaendesa kugomba. Ndudzi dzichatya zita raJehovha, madzimambo ose enyika achatya kubwinya kwenyu. Nokuti Jehovha achavakazve Zioni, agozviratidza pakubwinya kwake. Achadavira minyengetero yavanotambura; haangazvidzi chikumbiro chavo. Izvi ngazvinyorerwe marudzi amangwana, kuti vanhu vasati vasikwa vagorumbidza Jehovha vachiti, “Jehovha akatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira, ari kudenga akacherechedza pasi, kuti anzwe kugomera kwavasungwa agosunungura avo vakatongerwa rufu.” Saka zita raJehovha richaparidzwa muZioni, nokurumbidzwa kwake muJerusarema, panoungana marudzi noushe kuti vanamate Jehovha. Panguva youpenyu hwangu akatapudza simba rangu; akapfupisa mazuva angu. Saka ndakati, “Regai kundibvisa, imi Mwari wangu, pakati pamazuva angu; makore enyu anoramba aripo kusvikira kumarudzi namarudzi. Pamavambo makateya nheyo dzenyika, uye kudenga denga ndiro basa ramaoko enyu. Izvo zvichaparara, asi imi munogara muripo; zvose zvichasakara senguo. Senguo muchavabvisa uye vacharaswa. Asi imi mucharamba makadaro, uye makore enyu haatongogumi. Vana vavaranda venyu vachagara pamberi penyu; zvizvarwa zvavo zvichasimbiswa pamberi penyu.” Pisarema raDhavhidhi. [1] Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake, iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose, anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi, anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo. Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa. Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri: Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo. Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi; haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya; sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya; nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva. Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango; mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve. Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pana avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo, naavo vanochengeta sungano yake uye vanorangarira zvaakatema. Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga, uye ushe hwake hunotonga zvinhu zvose. Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake, nemi vane simba vanoita zvaakarayira, vanoteerera shoko rake. Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzose dzokudenga, imi varanda vake vanoita kuda kwake. Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose kwose kwose kuno umambo hwake. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo. Iye anozviputira muchiedza saanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende uye anogadzika matanda edzimba dzake pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo. Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake. Anoteya nyika pamusoro penheyo dzayo; haingatongozungunuswi. Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo; mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo. Asi pakutuka kwenyu mvura zhinji yakatiza, pakunzwa mutinhiro wenyu iyo yakatiza; yakayerera napamusoro pamakomo, ikadzika nomumipata, ichienda kunzvimbo yamakairayira. Makatara muganhu waisingadariki; haichazombofukidzizve nyika. Anoita kuti matsime adire mvura mumipata; inoyerera napakati pamakomo. Anonwisa mhuka dzose dzesango mvura; mbizi dzinopedza nyota yadzo. Shiri dzedenga dzinovaka matendere adzo pedyo nemvura; dzinorira dziri pakati pamatavi. Anodiridza makomo ari padzimba dzake dzapamusoro; nyika inogutswa nezvibereko zvebasa rake. Anomeresa uswa hwemombe, nembeu kuti vanhu vasakure, achibudisa zvokudya kubva pasi: iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake. Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima. Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini. Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira. Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro. Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima. Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari. Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo. Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana. Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu. Hero gungwa, rakakura uye rakapamhamha, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku. Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo. Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira. Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka. Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva. Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika. Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake, iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi. Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu. Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha. Asi vatadzi ngavaparadzwe panyika, uye vakaipa ngavarege kuzovapozve. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi. Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa. Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare. Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva, imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake. Ndiye Jehovha Mwari wedu; kutonga kwake kuri munyika yose. Anorangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira, kumarudzi ane chiuru, sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka. Akaisimbisa kuna Jakobho somutemo, nokuna Israeri sesungano isingaperi achiti, “Ndichapa nyika yeKenani kwauri somugove wenhaka yako.” Pavaiva vashoma pakuwanda, zvirokwazvo vari vashoma, uye vari vaeni mairi, vakadzungaira vachibva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi. Kubva kuno humwe ushe vachienda kuno humwe. Haana kutendera munhu kuvadzvinyirira; akatuka madzimambo nokuda kwavo achiti, “Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.” Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya; uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa. Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi, kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake. Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe, vatongi vavanhu vakamuregedza. Iye akamuita tenzi weimba yake, nomutongi wepfuma yake yose, kuti arayire machinda ake sezvaaida uye adzidzise vakuru vake njere. Ipapo Israeri akapinda muIjipiti; Jakobho akagara somweni munyika yaHamu. Jehovha akawanza vanhu vake chose; akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo, avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake, kuti varangane pamusoro pavaranda vake. Akatuma Mozisi muranda wake, naAroni, waakanga asarudza. Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo, izvo zvishamiso zvake munyika yaHamu. Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima, nokuti havana kumukira shoko rake here? Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa, zvikaita kuti hove dzavo dzife. Nyika yavo yakazara namatatya, akapinda mudzimba dzamadzimambo avo. Iye akataura mapupira enhunzi akauya, nenda munyika yavo yose. Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe, nemheni munyika yavo yose; akarova mizambiringa yavo nemionde yavo, akaparadza miti yomunyika yavo. Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki; zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo, zvikadya zvibereko zvevhu ravo. Ipapo akarova matangwe munyika yavo, zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo. Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe, kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo. Ijipiti yakafara pavakabva, nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata. Akatatamura gore rikava chifukidzo, uye moto kuti uvhenekere usiku. Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga. Akazarura dombo, mvura ikatubuka; ikayerera mugwenga sorwizi. Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene yaakapa Abhurahama muranda wake. Akabudisa vanhu vake nomufaro, vasanangurwa vake nokupembera kwomufaro; akavapa nyika dzendudzi, vakagara nhaka yakanga yatamburirwa navamwe, kuti vachengete zvaakatema uye vacherechedze mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba, kana kureva kurumbidzwa kwake kwose? Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira, vanogara vachiita zvakarurama. Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu, pamunovaponesa, mundibatsirewo, kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza. Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe. Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga. Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona. Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza. Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake. Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje. Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma mweya wokuonda pamusoro pavo. Vakaitira Mozisi godo mumusasa, naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha. Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu. Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa. Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa. Vakatsinhanhisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa. Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti, mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku. Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza. Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa. Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha. Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje, achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose. Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa. Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa, uye denda rikavapo pakati pavo. Asi Finehasi akasimuka, akaita zvakarurama, denda rikaguma. Izvozvo zvakanzi kwaari kururama kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi. Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo; nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake. Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha, asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo. Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari. Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni. Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo. Vakazvisvibisa nezvavakaita; vakazviitisa ufeve namabasa avo. Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake, akasema nhaka yake. Akavaisa mumaoko endudzi, uye vakatongwa navavengi vavo. Vavengi vavo vakavadzvinyirira, uye vakavaisa pasi pesimba ravo. Akavarwira kakawanda, asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukira vakaparadzwa muchivi chavo. Asi akatarisa kutambudzika kwavo paakanzwa kuchema kwavo; akarangarira sungano yake nokuda kwavo, uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru. Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakavatapa. Tiponesei, imi Jehovha Mwari wedu, uye mutiunganidze kubva kundudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene. Tigofara mukurumbidzwa kwenyu. Jehovha ngaarumbidzwe, iye Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, “Ameni!” Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi, avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi. Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta rwavangagara. Vakanga vava vane nzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo. Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira, nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka. Vamwe vakagara murima nokusviba kwakadzika dzika, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare, nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kwoWokumusorosoro. Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo. Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika, uye akadambura ngetani dzavo. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira, nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi. Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo. Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo. Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro. Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji. Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika. Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu. Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka. Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pamagumo amano avo. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo. Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro. Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira pakadzikama pavaida. Ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu. Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota. Akashandura nzizi dzikava gwenga, hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota, uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu, nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo. Akashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava zvitubu zvinoerera; ndipo paakagarisa vane nzara. uye vakavaka guta ravangagara. Vakadyara minda, uye vakasima minda yemizambiringa, ikabereka mukohwo wakanaka; akavaropafadza, uye akavawanza zvikuru, uye haana kutendera zvipfuwo zvavo kuparara. Ipapo vakava vashoma, uye vakaninipiswa vakadzvinyirirwa, nenjodzi uye nokusuwa; iye anodurura kuzvidzwa pamusoro pamakurukota, akaita kuti vadzungaire musango risina nzira. Akasimudza vanoshayiwa kubva mukutambudzika kwavo, uye akawedzera mhuri dzavo samapoka amakwai. Vakarurama vanozviona vagofara, asi vakaipa vose vanodzivirwa miromo yavo. Ani naani akachenjera ngaachengete zvinhu izvi, uye arangarire rudo rukuru rwaJehovha. Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi. [1] Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi; ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose. Muka iwe mutengeranwa nembira! Ndichamutsa mambakwedza. Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi. Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga. Nokuti rudo rwenyu rukuru, kupfuura kudenga denga; Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga, uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose. Tiponesei uye mutibatsire noruoko rwenyu rworudyi, kuti vamunoda varwirwe. Mwari akataura ari panzvimbo yake tsvene achiti, “Pakukunda kwangu ndichaganhura Shekemu, uye ndigoyera Mupata weSukoti. Gireadhi ndeyangu, Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu, Judha itsvimbo yangu. Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokugezera, pamusoro paEdhomu ndichapotsera shangu dzangu; pamusoro paFiristia ndichapembera mukukunda.” Ndianiko achandiuyisa muguta rakakomberedzwa namasvingo? Ndianiko achanditungamirira kuEdhomu? Ko, hamuzimi here, imi Mwari, iyemi makatiramba uye mukasazobudazve kuenda nehondo dzedu? Tibatsirei pamuvengi wedu, nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo. Tichapiwa kukunda naMwari, uye achatsika-tsika vavengi vedu. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza, regai kunyarara, nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo; vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo. Vakandikomba namashoko okuvenga; vanorwa neni pasina mhosva. Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva, asi ini ndiri munhu wokunyengetera. Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka, uye vanondivengera ushamwari hwangu. Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye; mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi. Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva, uye minyengetero yake ngaimupe mhaka. Mazuva ake ngaave mashoma; mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake. Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ave chirikadzi. Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira; ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo. Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo; vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira. Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni kana kunzwira tsitsi nherera dzake. Zvizvarwa zvake ngazvirove, mazita avo adzimwe parudzi runotevera. Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha; chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa. Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha, kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika. Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka, asi akavhima varombo kusvika parufu, vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika. Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake; iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye. Aifuka kutuka senguo yake; zvakapinda mumuviri wake semvura, nomumapfupa ake samafuta. Ngazvive sejasi rakamonerwa paari, sebhanhire rakasungirirwa paari nokusingaperi. Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu, kuna avo vanotakura zvakaipa pamusoro pangu. Asi imi, Ishe Jehovha, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; ndirwirei, kubudikidza nokunaka kworudo rwenyu. Nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa, uye mwoyo wangu wakuvara mukati mangu. Ndinopera somumvuri wamadekwana; ndinozunzwa semhashu. Mabvi angu apera simba nokutsanya; muviri wangu waonda uye ndaonda kwazvo. Ndiri chinhu chinosekwa navapomeri vangu; pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo. Ndibatsirei, imi Jehovha Mwari wangu; ndiponesei zvakafanira rudo rwenyu. Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu, kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita. Ivo vangatuka havo, asi imi mucharopafadza; vachanyadziswa pavanorwisa, asi muranda wenyu achafara. Vapomeri vangu vachafukidzwa nenyadzi, uye vachaputirwa nokunyara sokunge nejasi. Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru; paungano huru, ndichamurumbidza. Nokuti anomira kuruoko rworudyi rwouyo anoshayiwa, kuti amuponese pane avo vanomupomera mhosva. Pisarema raDhavhidhi [1] Jehovha akati kuna She wangu, “Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.” Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni; uchatonga pakati pavavengi vako. Mauto ako achazvipira pazuva rako rehondo. Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene, kubva pachizvaro chamambakwedza uchagamuchira dova roujaya hwako. Jehovha akapika, uye haangashanduki, achiti, “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerekizedheki.” Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi; achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake. Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa, uye achiparadza vatongi venyika yose. Achanwa parukova rwuri parutivi penzira; naizvozvo achasimudza musoro wake. Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, paungano yavakarurama napagungano. Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari. Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni. Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi. Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi. Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika. Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama. Anopa dzikinuro kuvanhu vake; akarayira sungano yake nokusingaperi. Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi. Rumbidzai Jehovha. Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, anofarira mirayiro yake zvikuru. Vana vake vachava nesimba panyika; zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa. Pfuma nezvakawanda zviri mumba make, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza, iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama. Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira. Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi; munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi. Haangatyi mashoko akaipa; mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha. Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu; pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake. Akaparadzira kure zvipo zvake kuvarombo, kururama kwake kunogara nokusingaperi; runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa. Akaipa achazviona uye acharwadziwa, acharumanya meno ake uye achaonda; kushuva kwowakaipa kuchava pasina. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha. Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini. Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa. Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga. Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusorosoro, anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika? Anosimudza murombo muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota; anovagadza namachinda, namachinda avanhu vavo. Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha. Israeri akati abuda muIjipiti, imba yaJakobho ichibva kurudzi runo mutauro wokumwe, Judha akava imba tsvene yaMwari, Israeri ushe hwake. Gungwa rakazviona rikatiza, Jorodhani rwakadzokera shure; makomo akakwakuka samakondohwe, zvikomo samakwayana. Haiwa gungwa, wakatizeiko, iwe Jorodhani zvawakadzokera shure, imi makomo zvamakakwakuka samakondohwe, nemi zvikomo, samakwayana? Dedera, iwe nyika pamberi paShe, pamberi paMwari waJakobho, akashandura dombo rikava dziva, dombo rakaoma rikava matsime emvura. Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri, asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu, nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu. Sei ndudzi dzichiti, “Mwari wavo aripiko?” Mwari wedu ari kudenga; anoita zvose zvinomufadza. Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona; zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino, asi hazvigoni kunhuwidza; zvina maoko, asi hazvigoni kubata, tsoka, asi hazvigoni kufamba; uye hazvitauri napahuro pazvo. Vanozviita vachafanana nazvo, navose vanovimba nazvo. Haiwa imba yaIsraeri, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. Imi imba yaAroni, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. Imi vanomutya, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. Jehovha anotirangarira uye achatiropafadza: Acharopafadza imba yaIsraeri, acharopafadza imba yaAroni, acharopafadza vanotya Jehovha, vaduku navakuru zvakafanana. Jehovha ngaakuwanzei, mose iwe navana vako. Jehovha ngaakuropafadze, iye muiti wedenga napasi. Kudenga denga kumusoro ndokwaJehovha, asi nyika akaipa kuvanhu. Vakafa havazivo vanorumbidza Jehovha, avo vanoburukira kwakanyarara; asi tisu tinokudza Jehovha, kubva zvino kusvikira narini. Rumbidzai Jehovha. Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu; akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu. Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu. Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa. Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!” Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi. Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa. Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka. Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu. Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.” Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.” Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri? Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha. Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose. Chinhu chinokosha pamberi paJehovha ndirwo rufu rwavatsvene vake. Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; makandisunungura pangetani dzangu. Ndichabayira chipo chokuvonga kwamuri, uye ndichadana kuzita raJehovha. Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose, pavanze dzeimba yaJehovha, mukati mako, iwe Jerusarema. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha, imi ndudzi dzose; Mukudzei, imi marudzi ose. Nokuti rudo rwake kwatiri rukuru, uye kutendeka kwaJehovha kunogara nokusingaperi. Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Israeri ngaati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Avo vanotya Jehovha ngavati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura. Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko? Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda. Ndudzi dzose dzakandikomba, asi ndakavaparadza muzita raJehovha. Vakandikomba pamativi ose, asi ndakavaparadza muzita raJehovha. Vakandimomotera senyuchi, asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva, ndakavaparadza muzita raJehovha. Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa, asi Jehovha akandibatsira. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; ndiye ava ruponeso rwangu. Kupembera kwomufaro nokukunda kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti: “Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru! Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro; ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!” Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha. Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu. Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona; Jehovha akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu. Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha; ngatifarei kwazvo tifarisise mariri. Haiwa Jehovha, tiponesei; haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira. Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha. Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai. Jehovha ndiye Mwari, uye akaita kuti chiedza chake chivhenekere pamusoro pedu. Namatavi muruoko, pinda mumudungwe ubatane navamwe vari kuenda kunyanga dzearitari. Imi muri Mwari wangu, uye ndichakuvongai; ndimi Mwari wangu, uye ndichakukudzai. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Arefi [1] Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa, vanofamba mumurayiro waJehovha. Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose. Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake. Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa. Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba pakuteerera zvirevo zvenyu! Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu. Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama, sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama. Ndichateerera mitemo yenyu; regai kundirasa zvachose. Bheti Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei? Nokurarama sezvinoreva shoko renyu. Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose; musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu. Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai. Imi munofanira kukudzwa, Jehovha; ndidzidzisei mitemo yenyu. Nemiromo yangu ndichataurazve mirayiro yose inobva pamuromo wenyu. Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu, somunhu anofarira pfuma huru. Ndinofungisisa zvirevo zvenyu, uye ndinorangarira nzira dzenyu. Ndinofarira mitemo yenyu; handingakanganwi shoko renyu. Gimeri Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama; ndichateerera shoko renyu. Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu. Ndiri mutorwa panyika; regai kundivanzira mirayiro yenyu. Mweya wangu wapedzwa nokushuva mitemo yenyu nguva dzose. Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa, uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu. Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa, nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu. Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva, muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu. Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu; ndizvo zvinondipanga mazano. Dhareti Ndakaradzikwa pasi muguruva; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu. Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu. He Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichazvichengeta kusvikira kumagumo. Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro. Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama. Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa. Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka. Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu. Wawu Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa; ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu. Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri. Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi, nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida. Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu. Zayini Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro. Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu. Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi, asi ini handitsauki pamurayiro wenyu. Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha, uye ndinonyaradzwa mairi. Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa, vakasiya murayiro wenyu. Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu pose pandinogara. Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku, uye ndichachengeta murayiro wenyu. Aya ndiwo anga ari maitiro angu: Ndinoteerera zvirevo zvenyu. Heti Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu. Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa. Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema. Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu. Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu. Teti Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu. Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu. Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu. Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu. Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose. Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu. Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu. Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe. Yodhi Maoko enyu akandiita nokundiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu. Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu. Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema. Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa. Kafi Mweya wangu unoziva nokushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?” Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu. Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko? Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu. Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka. Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema. Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu. Ramedhi Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kumarudzi namarudzi; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo. Memu Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu! Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Nuni Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu. Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo. Sameki Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu! Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa. Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu. Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo. Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema. Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu. Ayini Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Pe Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera. Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano. Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu. Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga. Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa. Tsadhe Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi. Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame. Kofi Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi. Reshi Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu. Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu. Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu. Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema. Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu. Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu. Mashoko enyu ose ndeechokwadi; mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi. Sini neShini Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu. Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyowana zvakapambwa zvizhinji. Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa. Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu. Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru. Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi. Tawu Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu. Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu. Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira. Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu. Rwiyo rworwendo. [1] Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, uye anondipindura. Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, nendimi dzinonyengera. Achaiteiko kwauri, uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera? Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, namazimbe anopfuta omuti womurara. Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari! Ndakagara nguva refu pakati pavanovenga rugare. Ndiri munhu worugare; asi pandinotaura, ivo ndevehondo. Rwiyo rworwendo. [1] Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi. Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata. Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri paruoko rwako rworudyi; zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku. Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako; Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi. Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. [1] Ndakafara pavakati kwandiri, “Handei kumba yaJehovha.” Tsoka dzedu dzimire mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema. Jerusarema rakavakwa seguta rakapakata kwazvo. Ndiko kunokwira marudzi, iwo marudzi aJehovha, kundorumbidza zita raJehovha maererano nezvakatemerwa Israeri. Zvigaro zvokutonga zvimire ikoko, zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi. Nyengetererai rugare rweJerusarema: “Vanokuda dai vagara zvakanaka. Dai mukati mamasvingo ako maita rugare, nokuchengetedzeka mukati menhare dzako.” Nokuda kwehama neshamwari dzangu, ndichati, “Rugare ngaruve mukati mako.” Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu, ndichatsvaka kubudirira kwako. Rwiyo rworwendo. [1] Ndinosimudzira meso angu kwamuri, kunemi mune chigaro choushe kudenga. Sokutarira kunoita meso enhapwa kuna vatenzi vadzo, sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake, saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, kusvikira atinzwira ngoni. Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni, nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda. Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza, nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza. Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. [1] Dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu, Israeri ngavati, dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu patakarwiswa navanhu, apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu; mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura, mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure. Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo. Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka. Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika. Rwiyo rworwendo. [1] Vanovimba naJehohva vakafanana neGomo reZioni, risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi. Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo, saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva zvino nokusingaperi. Tsvimbo yavasakarurama haingagari pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama, nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira maoko avo kuita zvakaipa. Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka, kuna avo vane mwoyo yakarurama. Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa. Rugare ngaruve pana Israeri. Rwiyo rwoRwendo. [1] Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota. Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.” Jehovha atiitira zvinhu zvikuru, uye tazara nomufaro. Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha, sehova dzeNegevhi. Avo vanodyara nemisodzi vachakohwa nenziyo dzomufaro. Uyo anobuda achichema, akatakura mbeu yokudyara, achadzoka nenziyo dzomufaro, akatakura zvisote. Rwiyo rworwendo rwaSoromoni. [1] Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshandira pasina. Kana Jehovha asingachengeti guta, varindi vanomira vakarinda pasina. Hazvina maturo kumuka mangwanani nokunonoka kuvata, uchitambudzikira zvokudya, nokuti anopa hope kuna vaanoda. Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha, vana mubayiro unobva kwaari. Semiseve mumaoko emhare ndizvo zvakaita vanakomana voujaya. Akaropafadzwa murume ane goba rizere navo. Havanganyadziswi pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo. Rwiyo rworwendo. [1] Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake. Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako. Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako. Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha. Dai Jehovha akuropafadzai kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; dai maona henyu kubudirira kweJerusarema, uye mararama kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri. Rwiyo rworwendo. [1] Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati, “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda. Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu.” Asi Jehovha akarurama; akandisunungura pamabote avakaipa. Dai vose vanovenga Zioni vadzorerwa shure nenyadzi. Dai vaita souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura; mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo, uye anounganidza haangazadzi maoko ake. Dai vanopfuura napo varega kuti, “Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako; tinokuropafadza muzita raJehovha.” Rwiyo rworwendo. [1] Ndakadanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika; haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni. Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvangu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira? Asi kukanganwira kuri kwamuri; naizvozvo imi munotyiwa. Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira, uye tariro yangu iri mushoko rake. Mweya wangu unorindira Ishe kupfuura varindi vanomirira rungwanani. Haiwa Israeri, isa tariro yako pana Jehovha, nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi uye kwaari kune dzikinuro izere. Uye achadzikinura Israeri kubva pazvivi zvavo zvose. Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; handina hanya nezvinhu zvikuru kana zvinhu zvinonyanya kushamisa. Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu; somwana akarumurwa namai vake, somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri. Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha, kubva zvino nokusingaperi. Rwiyo rworwendo. [1] Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhi namatambudziko ake ose aakakunda. Akapika mhiko kuna Jehovha, akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti, “Handingapindi mumba mangu kana kuenda kundovata pamubhedha wangu, handingatenderi hope mumaziso angu, kana kutsumwaira mumeso angu, kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha, nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.” Takazvinzwa muEfurata, takasangana nazvo muminda yeJaari tikati, “Ngatiendei kunzvimbo yake yokugara; ngatinamatei pachitsiko chetsoka dzake, haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu. Vaprista venyu dai vafukidzwa nokururama; dai vatsvene venyu vaimba nomufaro.” Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu, musaramba muzodziwa wenyu. Jehovha akapika mhiko kuna Dhavhidhi, mhiko yechokwadi yaasingagoni kushandura achiti, “Mumwe wechizvarwa chako ndichamugadza pachigaro chako choushe, kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu nezvandakatema zvandakavadzidzisa, ipapo vanakomana vavo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.” Nokuti Jehovha akasarudza Zioni, akarida kuti huve ugaro hwake achiti, “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri; ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada, ndichariropafadza nezvakawanda; ndichagutsa varombo varo nezvokudya. Ndichafukidza vaprista varo noruponeso, uye vatsvene varo vachagara vachiimba nomufaro. “Pano ndipo pandichameresa nyanga yaDhavhidhi, uye ndichatungidza mwenje womuzodziwa wangu. Ndichafukidza vavengi vake nenyadzi, asi korona yake ichabwinya kwazvo.” Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. [1] Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana! Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake. Zvinoita sokuti dova reHerimoni riri kuwira pamusoro peGomo reZioni. Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha, ihwo upenyu husingaperi-peri. Rwiyo rworwendo. [1] Rumbidzai Jehovha, imi varanda vose vaJehovha, vanoshumira usiku muimba yaJehovha. Simudzai maoko enyu munzvimbo tsvene, murumbidze Jehovha. Dai Jehovha, iye Muiti wedenga napasi, akuropafadzai kubva paZioni. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai zita raJehovha; murumbidzei, imi varanda vaJehovha, imi munoshumira muimba yaJehovha, muvanze dzeimba yaMwari wedu. Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka; imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka. Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake, naIsraeri kuti ave pfuma yake. Ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose. Jehovha anoita zvose zvinomufadza, kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose. Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika; anotumira mheni nemvura, uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake. Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti, matangwe avanhu neemhuka. Akatumira zviratidzo nezvishamiso zvake mukati mako, iwe Ijipiti, pamusoro paFaro navaranda vake vose. Akaparadza ndudzi dzakawanda uye akauraya madzimambo ane simba, Sihoni mambo weAmori, Ogi mambo weBhashani namadzimambo ose eKenani, akapa nyika yavo kuti ive nhaka, nhaka yavanhu vake Israeri. Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kumarudzi namarudzi. Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake. Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona; nenzeve, asi hazvigoni kunzwa, uye hamuna kufema mumuromo mazvo. Vaya vanozviita vachafanana nazvo, saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo. Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha; haiwa imba yaAroni, rumbidzai Jehovha; Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; imi vanomutya, rumbidzai Jehovha. Jehovha ngaarumbidzwe kubva kuZioni, iye agere muJerusarema. Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vongai Mwari wavamwari: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vongai Ishe wamadzishe: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; iye oga anoita zvinoshamisa zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; iye akaita matenga nokunzwisisa kwake, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura zhinji, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; iye akaita zviedza zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; zuva kuti ribate ushe masikati, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; mwedzi nenyeredzi kuti zvibate ushe usiku, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; iye akarova matangwe eIjipiti, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; uye akabudisa Israeri kubva pakati pavo, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; uye akayambutsa Israeri nomukati maro, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; asi akakukura Faro nehondo yake muGungwa Dzvuku, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; iye akatungamirira vanhu vake nomugwenga, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; akarova madzimambo makuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; uye akauraya madzimambo ane simba, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; Sihoni mambo wavaAmori, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; naOgi mambo weBhashani, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; akavapa nyika yavo senhaka, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; nhaka kumuranda wake Israeri, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; iye akatirangarira paurombo hwedu, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; uye akatisunungura kubva pavavengi vedu, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; uye anopa zvokudya kuzvisikwa zvose, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vongai Mwari wokudenga, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema, patakarangarira Zioni. Pamikonachando apo ndipo patakaturika mbira dzedu, nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!” Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha tiri munyika yokumwe? Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema, ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo. Rurimi rwangu ngarunamatire kumusoro kwomuromo wangu, kana ndikasakurangarira iwe, kana ndisingafungi Jerusarema, iwo mufaro wangu wapamusoro-soro. Haiwa Jehovha, rangarirai henyu zvakaitwa navaEdhomu, pazuva rakawa Jerusarema. Vakati, “Rikoromorei! Rikoromorei kusvikira panheyo dzaro!” Haiwa Mwanasikana weBhabhironi, watongerwa kuparadzwa, achafara munhu uyo achatsiva kwauri zvawakaita kwatiri, iye achatora pwere dzako agodzirovera pamatombo. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.” Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene, uye ndicharumbidza zita renyu nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu, nokuti makakudza zita renyu neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose. Pandakadana, imi makandipindura; makandishingisa nomwoyo wakasimba. Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha, pavanonzwa mashoko omuromo wenyu. Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru. Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa, asi vanozvikudza anovaziva vari kure. Kunyange ndikafamba pakati penhamo, munochengetedza upenyu hwangu; munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu, munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi. Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni; rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi, musasiya mabasa amaoko enyu. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva. Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure. Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose. Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose. Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri. Ndingaendepiko ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa, kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira. Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,” kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita samasikati kwamuri. Nokuti imi makasika zvomukati-kati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu. Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo. Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika, meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo. Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo! Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi. Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari! Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa! Ivo vanotaura nemi nomurangariro wakaipa; vadzivisi venyu vanoshandisa zita renyu zvakaipa. Ko, ini handivengi vanokuvengai here, imi Jehovha, nokusema vaya vanokumukirai? Handina chimwe chinhu asi kuvavenga ivo; ndinovati vavengi vangu. Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu; ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu. Muone kana musina nzira yakaipa mandiri, mugondifambisa munzira isingaperi. Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. [1] Ndirwirei, imi Jehovha, pavanhu vakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba. Ivo vanofunga urongwa hwakaipa mumwoyo yavo, uye vanomutsa hondo mazuva ose. Vanorodza ndimi dzavo kuti dzipinze sedzenyoka; uturu hwenyoka yechiva huri pamiromo yavo. Sera Ndichengetei, imi Jehovha, kubva mumaoko avakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba vanoronga kupinga tsoka dzangu. Vanhu vanozvikudza vakandivanzira musungo; vakatambanudza mabote emimbure yavo uye vakateya ugombe munzira yandinofamba nayo. Sera Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.” Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu. Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba, anofukidza musoro wangu pazuva rehondo, regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha; musarega urongwa hwavo huchibudirira, kuti varege kuzvikudza. Sera Misoro yaavo vakandipoteredza ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo. Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngavakandwe mumoto, mumakomba amatope, vasambomukazve. Vana makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika; njodzi ngaivhime vanhu vanoita nechisimba. Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo, uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo. Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu, uye vakarurama vachagara pamberi penyu. Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri. Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri. Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana. Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha; chengetai mukova wemiromo yangu. Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa, kuti ndiitewo mabasa akaipa navanhu vanoita zvakaipa; ngandirege kudya zvinozipa zvavo. Akarurama ngaandirove, ndidzo tsitsi; ngaanditsiure, ndiwo mafuta pamusoro wangu. Musoro wangu hauzorambi izvozvo. Asi munyengetero wangu unorwisa mabasa avaiti vezvakaipa nguva dzose. Vatongi vavo vachakandwa kumawere, uye vakaipa vachadzidza kuti mashoko angu akanga akanaka kwazvo. Ivo vachati, “Sezvinoita anorima achiparura pasi, saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva.” Asi meso angu anotarira kwamuri, imi Ishe Jehovha; ndinotizira kwamuri, regai kundiisa kurufu. Ndichengetei pamisungo yavakanditeya nayo, napaugombe hwakadzikwa navaiti vezvakaipa. Vakaipa ngavawire mumimbure yavo, ini ndichipfuura napo norugare. Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero. [1] Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha; ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha. Ndinodurura kugunun'una kwangu pamberi pake; ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake. Mweya wangu paunoziya mandiri, imi ndimi munoziva nzira yangu. Munzira mandinofamba, vanhu vakandivanzira misungo. Tarirai kurudyi rwangu mugoona; hakuna ane hanya nemi. Handina utiziro; hakuna ane hanya noupenyu hwangu. Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi utiziro hwangu, nomugove wangu munyika yavapenyu.” Teererai kuchema kwangu, nokuti ndiri pakushayiwa kukuru; ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa, nokuti vanondikurira simba. Ndibudisei mutorongo, kuti ndirumbidze zita renyu. Ipapo vakarurama vachandipoteredza nokuda kwokunaka kwenyu kwandiri. Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu, ndinzwirei nyasha pakuchema kwangu; uyai mundisunungure nokutendeka uye nokururama kwenyu. Musauyisa muranda wenyu mukutongwa, nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu. Muvengi anondidzinganisa, anondipwanyira pasi; anondiita kuti ndigare murima savaya vakafa kare. Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu; mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu. Ndinorangarira mazuva akare kare; ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu. Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura; mweya wangu woziya. Regai kundivanzira chiso chenyu nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba. Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi, nokuti ndinovimba nemi. Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo, nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri. Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha, nokuti ndinozvivanza mamuri. Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire panzira yakati chechetere. Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu; ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu. Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi; paradzai vavengi vangu vose, nokuti ndiri muranda wenyu. Pisarema raDhavhidhi. [1] Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe, iye anodzidzisa maoko angu kurwa. Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu, shongwe yangu nomudzikinuri wangu, nenhoo yangu uye ndinovanda maari, iye anoisa marudzi pasi pangu. Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye? Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga? Munhu akafanana nomweya; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura. Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke; batai makomo, kuti apfungaire utsi. Tumirai mheni mugoparadzira vavengi; pfurai miseve yenyu mugovapedza. Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro; ndirwirei uye mundinunure kubva pamvura zhinji ine simba, kubva mumaoko avatorwa vane miromo izere nenhema, maoko avo orudyi anonyengera. Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva; ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi, iye anopa kukunda kumadzimambo, anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya. Ndirwirei uye mundinunure kubva pamaoko avatorwa, vane miromo izere nenhema, vane maoko orudyi anonyengera. Ipapo vanakomana vedu pauduku hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka, uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa kuti dzishongedze muzinda wamambo. Matura edu achazadzwa nemhando dzose dzezviyo. Makwai edu achawanda nezviuru, nezviuru gumi mumafuro edu; nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema. Hapachazovi nokuputswa kwamasvingo, hapangavi nokuenda muutapwa, hapangavi nokuchema nenhamo munzira dzedu dzomumisha. Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi; vakaropafadzwa vanhu avo vana Mwari wavo Jehovha. Pisarema rokurumbidza, raDhavhidhi. [1] Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri. Ndichakurumbidzai mazuva ose, uye ndichakudza zita renyu nokusingaperiperi. Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa; ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu. Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe; vachareva zvamabasa enyu esimba. Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu, uye ndichafungisisa pamusoro pemabasa enyu anoshamisa. Vanhu vachataura nezvesimba ramabasa enyu anotyisa, uye ndichaparidza mabasa enyu makuru. Vachapemberera kuwanda kwokunaka kwenyu, uye vachaimba nomufaro pamusoro pokururama kwenyu. Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye azere norudo. Jehovha akanaka kuna vose; uye ane nyasha pamusoro pezvose zvaakaita. Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha; vatsvene venyu vachakukudzai. Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu, uye vachataura nezvesimba renyu, kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru, nokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu. Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi, uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kumarudzi ose. Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita. Jehovha anotsigira vose vanowa, uye anosimudza vose vakakotamiswa pasi. Meso avose anotarira kwamuri, uye munovapa zvokudya zvavo nenguva yakafanira. Munozarura ruoko rwenyu, uye munogutsa zvisikwa zvipenyu zvose nezvazvinoda. Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita. Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi. Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya; anonzwa kuchema kwavo uye anovaponesa. Jehovha anochengeta vose vanomuda, asi achaparadza vakaipa vose. Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha. Zvisikwa zvose ngazvirumbidze zita rake dzvene nokusingaperi-peri. Rumbidza Jehovha. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu. Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu. Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa. Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina. Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake, Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi. Anotsigira mhaka yavakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa. Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama. Jehovha anorinda vatorwa uye anotsigira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa. Jehovha anotonga nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kumarudzi namarudzi. Rumbidza Jehovha. Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza! Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri. Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo. Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo. Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi. Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa. Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira. Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo. Anopa mombe zvokudya navana vamakunguwo pavanochema. Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu; Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi. Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni, nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri. Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka. Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo. Anowarira chando samakushe, uye anoparadzira chando samadota. Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova? Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera. Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri. Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha kubva kumatenga, murumbidzei panzvimbo dzokumusoro-soro. Murumbidzei, imi vatumwa vake vose, murumbidzei, imi hondo dzake dzose dzokudenga. Murumbidzei, imi zuva nomwedzi, murumbidzei, imi nyeredzi dzose dzinopenya. Murumbidzei, imi matenga ari kumusoro-soro, nemi mvura zhinji iri pamusoro pamatenga. Ngazvirumbidze zita raJehovha, nokuti akarayira, izvo zvikasikwa. Akazviisa panzvimbo yazvo nokusingaperi-peri, akapa chirevo chisingazombopfuuri. Rumbidzai Jehovha imi nyika, imi zvisikwa zvikuru zvegungwa nokwakadzika kwenyanza, nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore, dutu remhepo rinoita zvaakareva, imi makomo nemi zvikomo zvose, miti inobereka nemisidhari yose, mhuka dzesango nemombe dzose, zvisikwa zvidiki neshiri dzinobhururuka, Madzimambo enyika nendudzi dzose, imi machinda nemi vatongi vose panyika, majaya nemhandara, vatana navana. Ngavarumbidze zita raJehovha, nokuti zita rake iye oga iguru; kubwinya kwake kuri pamusoro penyika namatenga. Akasimudzira vanhu vake runyanga, iyo rumbidzo yavatsvene vake vose, yaIsraeri, vanhu vari pedyo nomwoyo wake. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene. Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo. Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira. Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso. Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari panhoo dzavo. Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo, kuti vatsive pamusoro pendudzi, uye varange marudzi avanhu, vasunge madzimambo avo nengetani, namakurukota avo nezvisungo zvamatare, kuti vaite zvavakatongwa nazvo, zvakanyorwa pamusoro pavo. Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Mwari munzvimbo yake tsvene; murumbidzei mumatenga esimba rake. murumbidzei nokuda kwamabasa ake esimba; murumbidzei nokuda kwoukuru hwake hunokunda zvose. Murumbidzei nenzwi rehwamanda, murumbidzei nembira nomutengeranwa. Murumbidzei nematambureni muchitamba, murumbidzei norudimbwa nenyere. Murumbidzei namakandira anorira, murumbidzei namakandira anorira kwazvo. Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha. Rumbidzai Jehovha. Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri: kuti uwane uchenjeri nokurayirwa; nokunzwisisa mashoko enjere; kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira; kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano, vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa, kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo, mashoko nezvirahwe zvavakachenjera. Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa. Mwanakomana wangu teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako. Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako nouketani hunoshongedza mutsipa wako. Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite. Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva; ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba; tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba; isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,” mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo; nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa. Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona! Varume ava vanovandira ropa ravo vamene; vanozvivandira ivo pachavo! Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa; inouraya vaya vanoiwana. Uchenjeri hunodanidzira nenzwi guru mumugwagwa, hunokwidza inzwi rahwo pachivara; kumusoro kwemigwagwa ine ruzha hunodanidzira, pamasuo eguta hunotaura shoko rahwo huchiti: “Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka, uye mapenzi achivenga zivo? Dai makateerera kutsiura kwangu, ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri. Asi sezvo makandiramba pandakakudanai uye pasina kana mumwe akateerera pandakatambanudza ruoko rwangu, sezvo makashaya hanya nokurayira kwangu, iniwo ndichaseka panguva yenjodzi yenyu; ndichaseka dambudziko parichakusvikirai, dambudziko parichakukundai sedutu, njodzi paichavhuvhuta pamusoro penyu sechamupupuri, nhamo namatambudziko pazvichakukundai. “Ipapo vachadana kwandiri asi ini handingavapinduri; vachanditsvaka asi havangandiwani. Sezvo vakavenga zivo uye vakasasarudza kutya Jehovha, sezvo vasina kugamuchira yambiro yangu, uye vakashora kutsiura kwangu, vachadya zvibereko zvenzira dzavo uye vachazadzwa nezvibereko zvemano avo. Nokuti kusateerera kwavasina mano kuchavaurayisa, uye kushaya hanya kwamapenzi kuchavaparadza; asi ani naani achanditeerera achagara murugare, uye achagara akasununguka, asingatyi kuparadzwa.” Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri, ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa, uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa, uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa, ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa. Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa, nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake. Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako. Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda. Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama, vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima, vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa, vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo. Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake, uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari. Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa. Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu. Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama. Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi; asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi. Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako, nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira. Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa yomwoyo wako. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutende, uye acharuramisa nzira dzako. Usazviita munhu akachenjera pameso ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa. Izvi zvichava utano pamuviri wako nokusimbiswa kwamapfupa ako. Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako; ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva. Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake, nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira. Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa, nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe. Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa. Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare. Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa. Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika, nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo; noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova. Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako; zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako. Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi; paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi, hope dzako dzichava dzakanaka. Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa kana kuparadza kunokunda vakaipa, nokuti Jehovha achava chivimbo chako uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa. Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo, kana zviri musimba rako kuzviita. Usati kumuvakidzani wako, “Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,” iwe uchitova nazvo pauri. Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa, anogara nechivimbo pedyo newe. Usapomera munhu mhosva pasina chikonzero, iye asina zvaakutadzira. Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba, kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake, nokuti Jehovha anovenga munhu akarasika, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita. Kutuka kwaJehovha kuri paimba yowakaipa, asi anoropafadza musha womunhu akarurama. Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa. Vakachenjera vanowana kukudzwa, asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu; nyatsoteererai mugowana kunzwisisa. Ndinokupai dzidziso yakanaka, saka regai kurasa dzidziso yangu. Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu, ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu, baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama. Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa mashoko angu kana kubva paari. Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda. Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa. Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza. Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.” Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji. Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama. Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi. Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako. Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa. Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi. Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa; havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike. Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba. Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru. Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe. Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu. Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako; nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu. Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu. Bvisa nhema pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako. Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako. Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete. Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa. Mwanakomana wangu, nyatsoteerera kuuchenjeri hwangu, teereresa kumashoko angu oungwaru, kuti ugare wakachengeta kungwara uye kuti miromo yako ichengetedze zivo. Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi, nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta; asi pakupedzisira anovava senduru, anopinza somunondo unocheka namativi ose. Tsoka dzake dzinoenda kurufu; nhambwe dzake dzinonanga kuguva. Haafungi pamusoro penzira youpenyu; nzira dzake dzakaminama, asi iye haazvizivi. Saka zvino, vanakomana vangu, nditeererei; musatsauka pane zvandinotaura. Fambai nenzira iri kure naye, musasvika pedyo nomusuo wemba yake, kuti murege kupa vamwe zvakanaka zvesimba renyu, uye namakore enyu kuno uyo ane utsinye, kuti vatorwa varege kudya upfumi hwenyu, uye kushanda kwenyu nesimba kurege kupfumisa imba yomumwe munhu. Pakupedzisira kwoupenyu hwako uchagomera, kana nyama nomuviri wako zvaparadzwa. Uchazoti, “Mavengero andaiita kurayirwa! Mashorero aiita mwoyo wangu kudzorwa! Ndakanga ndisingateereri vadzidzisi vangu, kana kunzwa varairidzi vangu. Ndasvika pakuparara chaiko pakati peungano yose.” Inwa mvura pachirongo chako chaicho, mvura inoerera patsime rako chairo. Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here; nzizi dzako dzemvura pazvivara? Ngadzive dzako woga, hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa. Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako. Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka, mazamu ake ngaakufadze nguva dzose, ugare uchigutswa norudo rwake. Unogutsirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve? Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume? Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha, uye anoongorora nzira dzake dzose. Zviito zvakaipa zvomunhu akaipa zvichamusunga; tambo dzechivi chake dzichamubata iye kwazvo. Achafa nokuda kwokushayiwa kuzvibata kwake, atsauswa noupenzi hwake hukuru. Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako, kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe, kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura, wabatwa namashoko omuromo wako, ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako! Usatendera meso ako hope, usatendera meso ako kutsumwaira. Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi, seshiri kubva paugombe hwomuteyi. Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera! Harina mutungamiri, mutariri kana mutongi, asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha, uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa. Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe? Uchamuka riniko kubva pahope dzako? Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana, kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore. Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa. Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora, anochonya nameso ake, anonongedzera netsoka dzake, uye anodudzira neminwe yake, anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make, iyeyo anogaromutsa kupesana. Naizvozvo njodzi ichamuwira nokuku-rumidza; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira. Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti: meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva, mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa, chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama. Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako. Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako. Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe. Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu, kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati. Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake, nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu. Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here? Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here? Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa. Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya. Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake. Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake. Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi; nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume, uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva. Haangagamuchiri muripo upi zvawo; acharamba fufuro, kunyange rakakura sei. Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu ugoviga mirayiro yangu mauri. Chengeta mirayiro yangu ugorarama; uchengete dzidziso dzangu semboni yeziso rako. Uzvisungirire paminwe yako; uzvinyore pahwendefa yomwoyo wako. Uti kuuchenjeri, “Uri hanzvadzi yangu.” uye uti kunzwisisa ndiyo hama yako; zvichakuchengeta kure nomukadzi chifeve; kubva pamudzimai asingazvibati anokwezva namashoko ake. Napawindo remba yangu ndakatarira panze nomumagirazi. Ndakaona pakati pavasina mano ndikacherechedza pakati pamajaya, rimwe jaya rakanga risina njere. Rakanga richidzika nomugwagwa pedyo nepakona yomukadzi uya, richifamba rakananga kumba kwake, panguva yorubvunzavaeni, zuva ravira, kunze kwosviba. Ipapo mukadzi akabuda kuzosangana naye, akapfeka sechifeve uye azere nounyengeri. Anotaura noruzha uye anozvikudza, tsoka dzake hadzigari pamba; imwe nguva ari munzira, imwe nguva ari pazvivara. Anorindira pamakona ose. Akamubata ndokumutsvoda, uye nechiso chisina nyadzi akati: “Ndine zvipiriso zvokuwadzana kumba kwangu; nhasi ndazadzisa mhiko dzangu. Saka ndauya kuzosangana newe; ndanga ndichikutsvaka, zvino ndazokuwana! Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara, anobva kuIjipiti. Ndasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, zvinoti: mura, gavakava nesinamoni. Uya, tinwe tigute norudo kusvikira mangwanani; ngatifare zvedu norudo! Murume wangu haako kumba, akafamba rwendo rurefu. Akatakura homwe yake izere nemari uye haangadzoki kumba kusvikira pajenaguru.” Namashoko okunyengetedza akamutsausa; akamukwezva nokutaura kwake kunonyengera. Pakarepo akamutevera senzombe inoenda kundobayiwa, senondo inopinda mumusungo, kusvikira museve wabaya chiropa chake, seshiri inokurumidza kupinda muugombe, asingazivi kuti zvichamuurayisa. Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; nyatsoteererai zvandinotaura. Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake, kana kurasikira pamakwara ake. Vazhinji vakakuvadzwa naye vakawisirwa pasi; vaakauraya vakawanda kwazvo. Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva, uchitungamirira kumakamuri orufu. Ko, uchenjeri hahudanidziri here? Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here? Panzvimbo dzakakwirira panzira, pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire; parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova, hunodanidzirisa huchiti, “Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira; ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose. Imi vasina mano, wanai uchenjeri; imi mapenzi, wanai kunzwisisa. Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura; ndinozarura muromo wangu kuti nditaure zvakarurama. Muromo wangu unotaura zvokwadi, nokuti miromo yangu inovenga zvakaipa. Mashoko ose omuromo wangu akarurama; hapana kana rimwe rakakombama kana rakaipa. Kune ane njere ose zvawo akarurama, akarurama kuna avo vane zivo. Sarudza kurayira kwangu panzvimbo yesirivha, ruzivo panzvimbo yegoridhe rakaisvonaka, nokuti uchenjeri hunokosha kupfuura marubhi, uye hapana chaungada chingaenzaniswa nahwo. “Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera; ndine ruzivo nenjere. Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza. Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu; ndine kunzwisisa nesimba. Madzimambo anobata ushe neni uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama; machinda anofambisa ushe neni, navakuru vose vanotonga panyika. Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana. Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama. Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka. Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira, ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare. “Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake, kutangira mabasa ake akare; ndakagadzwa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, nyika isati yavapo. Makungwa asati avapo, ndakaberekwa, pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji; makomo asati aiswa munzvimbo dzawo, zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa, asati aita nyika neminda kana guruva ripi zvaro renyika. Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo, paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa, paakaita makore kudenga uye paakasimbisa zvitubu zvamakungwa, paakapa gungwa miganhu yaro kuti mvura dzirege kudarika zvaakarayira, uye paakateya nheyo dzenyika. Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake. Ndaigara ndichifara zuva nezuva, ndichifara nguva dzose pamberi pake, ndichifadzwa nenyika yake yose uye ndichifadzwa navanhu. Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu. Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera; musakuzvidza. Akaropafadzwa munhu anoteerera kwandiri, anorinda mazuva ose pamasuo angu. Anomira pamukova womusuo wangu. Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha. Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza; vose vanondivenga vanoda rufu.” Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe. Hwakabika nyama yahwo; uye hukavhenganisa waini yahwo; hwagadzirawo tafura yahwo. Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanhidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta. Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina mano ngavauye muno! Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandavhenganisa. Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa. “Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa. Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda. Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake. “Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa. Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji, uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako. Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro; kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.” Mukadzi benzi ane ruzha; haana kudzikama uye haana zivo. Anogara pamusuo wemba yake, napachigaro chiri panzvimbo yakakwiririsa yeguta, achidanidzira kuna avo vanenge vachipfuura napo, vaya vanofamba zvakarurama nenzira yavo. Anoti kuna vaya vasina njere, “Vose vasina mano ngavauye muno! Mvura yakabiwa inozipa; zvokudya zvinodyirwa muchivande zvinonaka!” Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa, uye kuti vashanyi vake vari mukatikati meguva. Zvirevo zvaSoromoni: Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake, asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake. Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu, asi kururama kunorwira parufu. Jehovha haatenderi akarurama kuti anzwe nzara, asi kupanga kwowakaipa anokusundira kure. Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo, asi maoko anoshingaira anopfumisa. Uyo anounganidza zvirimwa muzhizha, mwanakomana akachenjera, asi uyo anorara munguva yokukohwa, mwanakomana anonyadzisa. Maropafadzo ndiwo korona yomusoro woakarurama, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa. Kuyeukwa kwowakarurama kuchava chikomborero, asi zita rowakaipa richaora. Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara. Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka, asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa. Uyo anochonya neziso roruvengo anouyisa kusuwa, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara. Muromo womunhu akururama chitubu choupenyu, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa. Ruvengo runomutsa kupesana, asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose. Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yavane njere, asi shamhu yakafanira musana wouyo asina njere. Vanhu vakachenjera vanochengeta zivo, asi muromo webenzi unotsvaka kuparara. Upfumi hwavakapfuma ndiro guta ravo rina masvingo, asi urombo ndiko kuparadzwa kwavarombo. Mubayiro wavakarurama ndihwo upenyu, asi zvinowanikwa nowakaipa ndiko kurangwa. Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu, asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe. Uyo anovanza ruvengo rwake ane miromo inoreva nhema, uye ani naani anoparadzira guhwa ibenzi. Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi, asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera. Rurimi rwakarurama isirivha yakaisvonaka, asi mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu. Miromo yemunhu akarurama inosimbisa vazhinji, asi mapenzi anofa nokuda kwokushayiwa zivo. Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi, uye haawedzeri matambudziko kwahuri. Benzi rinofadzwa nokuita zvakaipa, asi munhu anonzwisisa anofarira uchenjeri. Zvinotyiwa nowakaipa ndizvo zvichaitika kwaari; zvinoshuviwa nowakarurama zvichapiwa kwaari. Kana dutu rapfuura napo, vakaipa havazowanikwi, asi vakarurama vachamira vakasimba nokusingaperi. Sevhiniga kumazino noutsi kumaziso, ndizvo zvakaita simbe kuna avo vachamutuma. Kutya Jehovha kunowedzera mazuva kuupenyu, asi makore owakaipa achatapudzwa. Tarisiro yowakarurama mufaro, asi tariro dzowakaipa dzichaparadzwa. Nzira yaJehovha ndiyo utiziro hwavakarurama, asi ndiko kuparadzwa kwaavo vanoita zvakaipa. Akarurama haangatongodzurwi, asi vakaipa havangarambi vari munyika. Muromo womunhu akarurama unobudisa uchenjeri, asi rurimi rwakaipa ruchabviswa. Miromo yomunhu akarurama inoziva zvakafanira, asi muromo womunhu akaipa, zvakaipa chete. Jehovha anovenga zviero zvinonyengera, asi zviero zvakakwana zvinomufadza. Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa. Unhu hwakanaka hwavakarurama unovatungamirira, asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo. Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa, asi kururama kunorwira parufu. Kururama kwavasina chavangapomerwa kunovaruramisira nzira yavo, asi vakaipa vachaparadzwa nezvakaipa zvavo. Kururama kwavakarurama kunovarwira, asi vasina kutendeka vanosungwa nezvishuvo zvavo zvakaipa. Kana munhu akaipa afa, tariro yake yaparara; zvose zvaaitarisira kubva pasimba rake zvaparadzwa. Munhu akarurama anonunurwa kubva mudambudziko, uye rigoenda kuno munhu akaipa panzvimbo yake. Munhu asina umwari anoparadza muvakidzani wake nomuromo wake, asi kubudikidza nezivo akarurama anopunyuka. Vakarurama pavanobudirira, guta rinofara; vakaipa pavanoparara, kupembera nomufaro zvinonzwikwa. Kubudikidza nokuropafadzwa kwomunhu akarurama, guta rinosimudzirwa, asi nomuromo womunhu akaipa rinoparadzwa. Munhu anoshayiwa uchenjeri anoseka muvakidzani wake, asi munhu anonzwisisa anodzora rurimi rwake. Guhwa rinoparadza chivimbo, asi munhu akavimbika anochengetedza zvakavanzika. Nokuda kwokushaya utungamiri rudzi runoparara, asi varayiri vazhinji vanoita kuti kukunda kuvepo. Uyo anoisira mumwe rubatso zvirokwazvo achaona nhamo, asi ani naani anoramba kumbundana maoko achiita mhiko achapona. Mukadzi ane mwoyo munyoro achakudzwa, asi varume vane utsinye vachawana pfuma chete. Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko. Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyegedzera, asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi. Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu, asi uyo anotevera zvakaipa anoenda kurufu rwake. Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa, asi anofarira avo vane nzira dzisina chadzingapomerwa. Zvirokwazvo akaipa acharangwa bedzi, asi vakarurama vachasunungurwa. Sezvakaita mukaro wegoridhe mumhino dzenguruve, ndizvo zvakaitawo mukadzi akanaka pachiso asi asina njere. Chishuvo chowakarurama chinoguma mune zvakanaka chete, asi tariro yowakaipa inogumira mukutsamwirwa. Mumwe munhu anongopa pachena, asi achitowana zvimwe zvakawanda; mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi agova murombo. Munhu anopavhurira achabudirira; uyo anomutsiridza vamwe achamutsiridzwawo. Vanhu vanotuka munhu anounganidza zviyo vamwe vasina, asi mukomborero uchava korona youyo anofarira kutengesa. Uyo anotsvaka zvakanaka achawana nyasha, asi zvakaipa zvinosvika kune uyo anozvitsvaka. Ani naani anovimba noupfumi hwake achawa, asi akarurama achanaka seshizha nyoro. Uyo anouyisa dambudziko kumhuri yake achagara nhaka yemhepo chete, uye benzi richava muranda womunhu akachenjera. Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu, uye anodzora mweya yavanhu ndiye akachenjera. Kana vakarurama vachiwana zvakavafanira panyika, ko, kuzoti akaipa nomutadzi! Ani naani anoda kurayirwa anoda zivo, asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi. Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha, asi Jehovha anotuka munhu ane mano akaipa. Munhu haangasimbiswi nezvakaipa, asi mudzi womunhu akarurama haungadzurwi. Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake. Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama, asi kurayira kwavakaipa kunonyengera. Mashoko owakaipa anovandira ropa, asi kutaura kwavakarurama kunovanunura. Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve, asi imba yowakarurama icharamba yakasimba. Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake, asi vanhu vane pfungwa dzakatsauka vanozvidzwa. Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda, pane kuzviita munhu wapamusoro iwe usina zvokudya. Munhu akarurama ane hanya nechipfuwo chake, asi zviito zvakanaka zvowakaipa utsinye. Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anongotevera zvisina maturo anoshayiwa zivo. Vakaipa vanopanga zvakapambwa zvavanhu vakaipa, asi mudzi woakarurama unobereka zvibereko. Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa, asi munhu akarurama anopunyuka padambudziko. Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka, zvirokwazvo sokupiwa mubayiro kwaanoitwa nebasa ramaoko ake. Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari, asi munhu akachenjera anoteerera kurayira. Benzi rinoratidza kutsamwa pakarepo, asi munhu akachenjera anoshayira hanya kutukwa. Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi, asi chapupu chenhema chinoreva nhema. Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo, asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa. Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku. Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa, asi rufaro rwuri kune avo vanokurudzira rugare. Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa, asi vakaipa vachava namatambudziko akavafanira. Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi. Munhu akachenjera anovanza zivo yake, asi mwoyo yamapenzi inotaura zvoupenzi. Maoko anoshingaira achatonga, asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda. Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu, asi shoko nyoro rinomufadza. Munhu akarurama anochenjerera ushamwari, asi nzira yavakaipa inovatungamirira mukurasika. Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata, asi munhu anoshingaira anokoshesa pfuma yake. Munzira yokururama mune upenyu; kwainoenda hakuna rufu. Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa. Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka, asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza. Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa. Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu, asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa. Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza. Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka, asi kuipa kunowisira mutadzi pasi. Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu; mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji. Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haanzwi kutyisidzirwa. Chiedza chowakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa. Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa. Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande. Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu. Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro. Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu, rinobvisa munhu pamusungo worufu. Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha, asi nzira yavasina kutendeka ihukutu. Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo, asi benzi rinoratidza upenzi hwaro. Nhume yakaipa inowira munjodzi, asi munyai akatendeka anouya nokuporesa. Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa. Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa. Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa. Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama. Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama. Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda, asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure. Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga. Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo, asi dumbu rowakaipa richanzwa nzara. Mukadzi akachenjera anovaka imba yake, asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro. Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha, asi uyo ano mufambiro wakatsauka anomuzvidza. Kutaura kwebenzi kunouyisa shamhu kumusana kwaro, asi miromo yavakachenjera inovadzivirira. Kana pasina nzombe, chidyiro hachina chinhu, asi pasimba renzombe ndipo panobva kukohwa kukuru. Chapupu chechokwadi hachinyengeri, asi chapupu chenhema chinodurura nhema. Mudadi anotsvaka uchenjeri asi haahuwani, asi ruzivo runouya zviri nyore kune anonzvera. Gara kure nomunhu benzi, nokuti haungawani ruzivo kubva pamiromo yake. Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira dzake, asi upenzi hwamapenzi ndihwo unyengeri. Mapenzi anoseka kutendeuka pazvivi, asi kuita zvakanaka kunowanikwa pakati pavakarurama. Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo, uye hapana munhu angagoverana nawo mufaro wawo. Imba yowakaipa ichaparadzwa, asi tende rowakarurama richabudirira. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi kumagumo inotungamirira kurufu. Kunyange mukuseka mwoyo unogona kurwadziwa, uye mufaro ungangoperera mukusuwa. Vasingatendi vachapiwa mubayiro wenzira dzawo wakazara, uye munhu akanaka achapiwa mubayiro wenzira dzakewo. Munhu asina mano anongotenda zvose zvose, asi munhu akangwara anongwarira mafambiro ake. Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa, asi benzi rina manyawi uye harina hanya. Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zvinhu zvoupenzi, uye munhu anoita zvounyengeri achavengwa. Vasina mano vachagara nhaka youpenzi, asi vakangwara vachapfekedzwa korona yezivo. Vanhu vakaipa vachagwadama pamberi pavakanaka, uye vakaipa pamasuo avakarurama. Varombo vanoraswa kunyange navavakidzani vavo, asi vapfumi vane shamwari zhinji. Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza, asi akaropafadzwa ane tsitsi kune vanoshayiwa. Ko, vanoronga zvakaipa havarasiki here? Asi avo vanoronga zvakanaka vanowana rudo nokutendeka. Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro, asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi. Upfumi hwavakachenjera ikorona yavo, asi upenzi hwamapenzi hunobereka upenzi. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi chapupu chenhema chinonyengera. Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba, uye ichava utiziro kuvana vake. Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu, kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu. Mukuwanda kwavanhu ndimo mune ukuru hwamambo, asi pasina vanhu muchinda anoparadzwa. Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa, asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi. Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri, asi ruchiva runoodza mapfupa. Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo, asi ani naani ane hanya nevanoshayiwa anokudza Mwari. Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi, asi kunyange murufu akarurama ane utiziro. Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa. Kururama kunosimudzira rudzi, asi chivi chinonyadzisa vanhu vapi zvavo. Mambo anofarira muranda akachenjera, asi muranda anonyadzisa achatsamwirwa naye. Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha. Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo, asi muromo webenzi unodurura upenzi. Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka. Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya. Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara. Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuuyira kutambudzika. Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro. Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero wokururama unomufadza. Jehovha anovenga nzira yowakaipa, asi anoda vaya vanotevera kururama. Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira; uyo anovenga kudzorwa achafa. Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu! Mudadi anovenga kudzorwa; haangabvunzi vakachenjera. Mwoyo wakafara, unofadza chiso, asi mwoyo une shungu unopwanya mweya. Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo, asi muromo webenzi unodya upenzi. Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa, asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose. Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha, pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko. Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo, pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo. Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara. Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru. Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro, asi munhu benzi anozvidza mai vake. Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama. Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira. Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva! Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva. Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba. Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza. Munhu anokarira pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama. Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa. Jehovha ari kure nowakaipa, asi anonzwa munyengetero woakarurama. Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa. Uyo anoteerera kutsiura kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera. Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake, asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa. Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera. Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha. Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa. Isa kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira. Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi. Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa. Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa. Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare. Zviri nani kuva nezvishoma mukururama, pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira. Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake. Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chamwari, uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira. Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita. Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama. Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi. Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku. Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu, nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe. Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe, kusarudza njere pane sirivha! Mugwagwa mukuru wavakarurama haupfuuri napane zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake. Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza. Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha. Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera, uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa. Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo, asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi. Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa. Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo anoenda kurufu. Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda. Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa. Munhu akaipa anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo. Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka. Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa; uyo anorumanya miromo yake ari kuda kuita zvakaipa. Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka; inowanikwa noupenyu hwakarurama. Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi, munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta. Mujenya unokandirwa pamakumbo, asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha. Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo pane imba izere namabiko, ine kupesana. Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa, uye achagoverwa nhaka somumwe wehama. Hari ndeyokubika sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo. Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa; murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza. Uyo anoseka varombo anozvidza Musiki wavo, ani naani anofarira njodzi dzavamwe haangaregi kurangwa. Vana vevana ikorona kune vakwegura, uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo. Kutaura kuna manyawi hakuna kufanira benzi, zvikuru sei kutaura nhema kwomubati! Fufuro inofadza uyo anoipa; kwose kwose kwaanoenda, anobudirira. Uyo anofukidzira kudarika kwomumwe anotsvaka rudo, asi ani naani anomutsazve mhaka anoparadzanisa shamwari dzepedyo. Kutsiurwa kunofadza munhu ane njere kupfuura kurohwa kwebenzi kazana. Munhu akaipa anongotsvaka kumukira chete; nhume isina tsitsi ichatumirwa kundomurwisa. Zviri nani kusangana nechikara chatorerwa vana vacho pane benzi muupenzi hwaro. Kana munhu akaripira zvakanaka nezvakaipa, zvakaipa hazvizombobvi paimba yake. Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu; saka rega nharo kurwa kusati kwatanga. Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose. Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi, sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri? Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa nhamo. Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko, uye anoitira muvakidzani wake rubatso. Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi; uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa. Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri; uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko. Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa; baba vebenzi havana mufaro. Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa. Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira. Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi, asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika. Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka. Hazvina kunaka kuranga munhu asina mhosva, kana kurova machinda nokuda kwokururama kwavo. Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora, uye munhu anonzwisisa akadzikama. Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara. Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake; anozvidza kutonga kwakanaka kwose. Benzi harifariri kunzwisisa, asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete. Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo, uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo. Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika, asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera. Hazvina kunaka kutsaura akaipa kana kusaruramisira asina mhosva. Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara, uye muromo wake unomukokera kurohwa. Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro, uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro. Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa; anoenda pakadzikadzika mukati momunhu. Uyo ano usimbe pakubata kwake ihama youyo anoparadza. Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa. Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo; vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo. Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa. Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake. Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara, asi mweya wakapwanyika ndiani angaumutsa? Mwoyo woune njere unowana ruzivo, nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka. Chipo chinozarurira nzira kune achipa, uye chinomusvitsa pamberi pavakuru. Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza. Kukanda mijenya kunopedza gakava, uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru. Hama yatadzirwa yakasimba kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo, uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo. Kubva pazvibereko zvomuromo wake dumbu romunhu rinogutiswa; nezvinobva pamiromo yake achagutiswa. Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo. Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka, uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha. Murombo anokumbira kuitirwa tsitsi, asi mupfumi anopindura nehasha. Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa, asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama. Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka. Hazvibatsiri kushingaira usina zivo, kana kukurumidza uchizorasika nzira. Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake, asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha. Pfuma inouyisa shamwari zhinji, asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake. Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi. Vazhinji vanotsvaka nyasha kumubati, uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo. Murombo anoraswa nehama dzake dzose, kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii! Kunyange akavatevera achidemba kwazvo havangawanikwi. Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira. Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara. Hazvina kufanira kuti benzi rigarike, ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda! Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba, asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa. Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake, uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha. Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki, asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha. Usimbe hunouyisa hope dzakadzama, uye munhu asingashandi achafa nenzara. Uyo anoteerera kurayira anochengetedza upenyu hwake, asi uyo asina hanya nenzira dzake achafa. Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha, uye achamupa mubayiro wezvaakaita. Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro; usava nechikamu pakuparadzwa kwake. Munhu ane hasha zvikuru anofanira kuripa, mhosva yake; kana ukamununura, unofanira kuzomununurazve. Teerera zano ugamuchire kurayirwa, uye pakupedzisira uchava wakachenjera. Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu, asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudiririra. Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi; zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema. Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu: Ipapo munhu achazorora zvakanaka, asingawirwi nedambudziko. Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; igotadza kunyange kurwudzosa kumuromo wayo! Rova museki, ipapo vasina mano vachadzidzawo ungwaru; tsiura munhu ane njere, ipapo achawana zivo. Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake mwanakomana anonyadzisa. Mwanakomana wangu, ukasateerera kurayirwa, uchatsauka kubva pamashoko oruzivo. Chapupu chakaipa chinoseka kururamisira, uye muromo womunhu akaipa unomedza zvakaipa. Kurangwa kwakagadzirirwa vaseki, uye kurohwa misana yamapenzi. Waini museki uye doro mupopoti; ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake. Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara, asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota. Simbe hairimi mumwaka wokurima; saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana. Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika, asi munhu akachenjera achaichera. Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi, asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko? Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa. Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge, anopepeta zvakaipa zvose nameso ake. Ndiani angati, “Ndakachengeta mwoyo wangu wakachena; ndakachena uye handina zvivi”? Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana Jehovha anozvivenga zvose. Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita, kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here. Nzeve dzinonzwa nameso anoona, Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri. Usafarira kurara kana kuti uchava murombo; svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda. “Hazvina kunaka, hazvina kunaka!” ndizvo zvinotaura mutengi; ipapo hoyo oenda achizvirumbidza pamusoro pezvaatenga. Goridhe riripo, uye matombo anokosha amarubhi azere, asi miromo inotaura zivo ndicho chinhu chinokosha chisipo. Mutorerei nguo yake, uyo anoitira mutorwa rubatso; itorei sorubatso kana azviitira mukadzi asingazvibati. Zvokudya zvakawanikwa nokunyengetera zvinonaka kumunhu, asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha. Ita urongwa nokutsvaga mazano; kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa. Guhwa rinoputsa chivimbo; saka furatira munhu anotaurisa. Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake, mwenje wake uchadzimwa parima guru. Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga haingaropafadzwi pamagumo ayo. Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!” Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira. Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi. Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake? Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza uye ozorangarira mhiko dzake pava paya. Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa; anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo. Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make. Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa. Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo, bvudzi jena kubwinya kwavakwegura. Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa, uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati. Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha; anouendesa kwaanoda sehova dzemvura. Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari, asi Jehovha anoyera mwoyo. Kuita zvakarurama nokururamisira zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro. Meso ana manyawi nomwoyo unozvikudza, mwenje woakaipa, ndizvo chivi! Urongwa hwavanoshingaira hunouyisa zvizhinji, sezvo, zvirokwazvo, kukurumidzisa kuchiuyisa urombo. Pfuma yakaunganidzwa norurimi runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa. Kumanikidza kwavakaipa kuchavazvuzvurudzira kure, nokuti vanoramba kuita zvakarurama. Nzira yeane mhosva yakaminama, asi kufamba kwaasina mhosva kwakarurama. Zviri nani kugara pakona yedenga remba, pano kugara mumba nomudzimai anokakavara. Munhu akaipa anoshuvira zvakaipa; muvakidzani wake haawani tsitsi kubva kwaari. Kana museki akarangwa vasina mano vanowana uchenjeri; kana munhu akachenjera akarayirwa anowana zivo. Iye Akarurama anocherechedza imba yowakaipa, uye anoisa akaipa kukuparadzwa. Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo, naiyewo achachema uye hapana achamunzwa. Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha, uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru. Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama, asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa. Munhu anorasika panzira yokunzwisisa achandozororera muungano yavakafa. Uyo anofarira mafaro achava murombo; ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi. Akaipa achava dzikinuro yavakarurama, uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka. Zviri nani kugara mugwenga, pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha. Mumba mowakachenjera mune zvokudya zvakaisvonaka zvakawanda namafuta, asi benzi rinodya zvose zvarinazvo. Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu, nokubudirira norukudzo. Munhu akachenjera anorwisa guta ravane simba agoputsa nhare dzaro dzavanovimba nadzo. Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake anozvidzivirira kubva panjodzi. Munhu anozvikudza uye ana manyawi “Museki” ndiro zita rake; anoita namanyawi uye nokuzvikudza. Kushuva kwesimbe kunova rufu rwake, nokuti maoko ake anoramba kushanda. Muswere wose wezuva anoramba achida zvimwe, asi akarurama anopa asinganyimi. Chibayiro chowakaipa chinonyangadza, zvikuru sei kana akachiuya nacho nomufungo wakaipa! Chapupu chenhema chichaparara, uye ani naani anoteerera kwaari achaparadzwa nokusingaperi. Munhu akaipa ane chiso chisinganyari, asi munhu akarurama anofunga pamusoro penzira dzake. Hapana uchenjeri kana njere kana urongwa hungabudirira huchipikisana naJehovha. Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, asi kukunda kunobva kuna Jehovha. Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe. Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose. Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambura nokuda kwaizvozvo. Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu. Munzira yowakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo. Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda waanomupa chikwereti. Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa. Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake. Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma. Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo. Meso aJehovha anorinda zivo, asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka. Simbe inoti, “Panze pane shumba,” kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!” Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika; uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri. Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana, asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye. Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo. Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri; isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa, nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako, uye ugare wakagadzirira kuataura ose. Kuti uvimbe naJehovha, ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe. Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here, mashoko edzidziso noruzivo, kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika, kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno uyo akakutuma? Usatorera varombo nokuti varombo, uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva, nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo, uye achapamba vanovapamba. Usaita ushamwari nomunhu ane hasha, uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa, kuti urege kudzidza tsika dzake, uye urege kuzviteya nomusungo. Usava munhu anombunda ruoko pamhiko, kana kuzviita rubatso pazvikwereti; kana usina chaungaripa nacho, uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo. Usabvisa dombo romuganhu wakare, wakaiswapo namadzibaba ako. Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Achashanda pamberi pamadzimambo; haangashandiri vanhu vasina maturo. Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako, uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo. Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera. Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate. Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo. Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka; nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi. Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda. Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako. Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera, nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe. Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo. Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi. Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu. Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara; mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama. Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi, asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha. Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparadzwi. Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri, uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama. Usabatana navaya vanonwa waini zhinji, kunyange vaya vanokara nyama, nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve. Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura. Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa. Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo! Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaanan'anidze nzira dzangu, nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana. Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume. Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka? Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavenganiswa. Usatarisa waini kana yatsvuka, kana ichivaima iri mumukombe, kana ichidzika zvakanaka pakunwa! Pakupedzisira inoruma senyoka uye ine uturu semvumbi. Meso ako achaona zvisakamboonekwa uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana. Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa, kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe. Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara! Vakandirova asi handina kuzvinzwa! Ndichamuka rinhiko kuti ndigotsvakazve waini?” Usachiva vanhu vakaipa, usashuva kufamba navo; nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga. Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa; kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha. Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba; nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura. Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu. Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki. Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei! Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa. Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here? Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi. Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari. Usavandira sezvinoita wakaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara; nokuti kunyange munhu akaruruma achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi. Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara, kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari. Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa, nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa. Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka, nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza, uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa? Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka: Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,” marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora. Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo. Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo. Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako. Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere. Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.” Ndakapfuura napamunda wesimbe, ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere; minzwa yakanga yamera pose pose, munda wakanga wafukidzwa nesora, uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka. Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona. Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira, kumbofungatira maoko kuti ndizorore, ipapo urombo huchauya pauri segororo uye kushayiwa kuchauya somunhu akashonga nhumbi dzokurwa nadzo. Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa namachinda aHezekia mambo weJudha: Kukudzwa kwaMwari kuviga chinhu; kunzvera nyaya ndiko kukudzwa kwamadzimambo. Sokukwirira kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika, saizvozvowo mwoyo yamadzimambo haigoni kunzverwa. Bvisa marara pasirivha, panobva pabuda zvinoshandiswa nomuumbi wemidziyo yesirivha; bvisa akaipa pamberi pamambo, ipapo chigaro chake choushe chichasimbiswa kubudikidza nokururama. Usazvikudza pamberi pamambo, uye usazvipa chigaro pakati pavanhu vakuru; Zviri nani kuti ati kwauri, “Kwira pano,” pano kuti akunyadzise pamberi pavanhu vanoremekedzwa. Zvawakaona nameso ako usakurumidze kuzvikwidza kumatare edzimhosva, nokuti uchazoiteiko pamagumo, kana muvakidzani wako akakunyadzisa? Kana uchipikisana nomuvakidzani wako, usarase chivimbo chomumwe munhu, kana kuti uyo achazvinzwa angangokunyadzisa, uye uchazoramba uine chimiro chakaipa. Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha. Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera. Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake. Samakore nemhepo zvisina mvura, ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi. Kubudikidza nomwoyo murefu mubati anogona kukundwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa. Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa. Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako, ukanyanya kuendapo, achakuvenga. Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza, ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake. Sezino rakaora kana tsoka yakaremara, ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika. Souya anokurura nguo musi unotonhora, kana sevhiniga inodururwa pasoda, ndizvo zvinoita uyo anoimbira nziyo kumwoyo unorwadziwa. Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye; kana aine nyota, mupe mvura anwe. Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake, uye Jehovha achakupa mubayiro. Semhepo yokumusoro inouyisa mvura, naizvozvo rurimi rwakaipa runouyisa zviso zvakashatirwa. Zviri nani kugara pakona redenga reimba pano kugara mumba nomudzimai anokakavara. Semvura inotonhorera kumweya wakaneta ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure. Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa, ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa. Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji, kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye. Seguta rakakoromoka masvingo ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata. Sechando muzhizha kana mvura pakukohwa, rukudzo haruna kufanira kubenzi. Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve, saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita. Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro, uye shamhu musana webenzi! Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro, kana kuti iwe pachako uchafanana naro. Pindura benzi maererano noupenzi hwaro, kuti rirege kuona sokuti rakachenjera. Sokuzvigura tsoka kana kunwa bongozozo, ndizvo zvakaita kutumira shoko noruoko rwebenzi. Samakumbo echirema akangorembera ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. Sokusungira ibwe pachipfuramabwe ndizvo zvakaita kupa rukudzo kubenzi. Segwenzi reminzwa riri muruoko rwechidhakwa, ndizvo zvakaita chirevo chiri mumuromo webenzi. Somuwemburi weuta anopfura pose pose, ndizvo zvakaita anoshandirwa nebenzi kana nomupfuuri zvake. Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, ndizvo zvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro. Unoona munhu anozviti akachenjera pakuona kwake here? Benzi rinotova netariro kupfuura iye. Simbe inoti, “Kune shumba kunzira, shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!” Segonhi rinotenderera pamahinji aro, ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo. Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo. Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere. Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye. Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto, kana miseve inouraya, ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wake uye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!” Pasina huni moto unodzima; pasina makuhwa kukakavara kunopera. Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto, ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave. Mashoko eguhwa akaita semisuva yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu. Samarara esirivha akanamirwa kunze kwomudziyo wevhu, ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa. Muparadzi anozvivanza namatauriro ake, asi mumwoyo make akaviga ruvengo. Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura, nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe. Ruvengo rwake rungavigwa mukunyengera kwake, asi kuipa kwake kuchabudiswa pachena paungano. Kana munhu akachera gomba, achawira mariri; kana munhu akakungurutsa ibwe, richakunguruka, richidzokera pamusoro pake. Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa, uye muromo unobata kumeso unoparadza. Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana, nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva. Rega mumwe akurumbidze, kwete muromo wako; mumwe munhuwo zvake, kwete miromo yako iwe. Ibwe rinorema uye jecha mutoro, asi kudenhwa nebenzi kunorema kupfuura zvose. Hasha dzinokuvadza uye kutsamwa kunokurira, asi ndiani angamira pamberi pomunhu ane godo? Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo rwakavanzika. Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika, asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera. Uyo akaguta anovenga uchi, asi kune ane nzara kunyange zvinovava zvinozipa. Seshiri inorasika kubva padendere rayo, ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake. Mafuta nezvinonhuwira zvinouyisa mufaro kumwoyo, uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka. Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako, uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete, muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure. Iva wakachenjera, mwanakomana wangu, ugofadza mwoyo wangu; ipapo ndichagona kupindura ani naani anondishora. Munhu akangwara anoona njodzi agovanda, asi asina mano anoramba achienda uye agokuvadzwa nayo. Torera nguo uyo anozviita rubatso kumutorwa; uitore semhiko kana achinge aiita rubatso kumukadzi asingazvibati. Kana munhu akafumira rungwanangwana kukwazisa muvakidzani wake achidaidzirisa zvichaonekwa sechituko. Mudzimai anokakavara akafanana nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya; kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo, kana kuchingidzira mafuta noruoko. Simbi inorodza simbi, saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe. Uyo anochengeta muonde achadya zvibereko zvawo, uye uyo anochengeta tenzi wake achakudzwa. Sezvo mvura ichiratidza chiso, saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu. Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti. Hari ndeyokubika sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi munhu anoedzwa nerumbidzo yaanowana. Kunyange ukatswa benzi muduri, kumutswa sezviyo nomutswi, haungabvisi upenzi hwake maari. Iva nechokwadi kuti unoziva mamiriro amakwai ako, uchengete zvakanaka mapoka ako; nokuti pfuma haigari nokusingaperi, uye korona haigari kusvikira kumarudzi namarudzi. Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda, nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo, makwayana achakuwanisa zvokupfeka, uye mbudzi nomutengo womunda. Uchava nomukaka wembudzi wakawanda wokudya iwe nemhuri yako, uye wokuraramisa varandakadzi vako. Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa, asi vakarurama vakashinga seshumba. Kana nyika ikapanduka, inova navatungumiri vakawanda, asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo. Mubati anomanikidza varombo akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa. Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa, asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa. Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira, asi avo vanotsvaka Jehovha vanozvinzwisisa kwazvo. Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama pane mupfumi ane nzira dzakatsauka. Uyo anochengeta murayiro mwanakomana akachenjera, asi anofambidzana navanhu vane madyo anonyadzisa baba vake. Uyo anowedzera pfuma yake nokutengesa nomutengo uri pamusoro-soro, anozviunganidzira mumwe, uyo anozonzwira varombo tsitsi. Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake, kunyange minyengetero yake inonyangadza. Uyo anotungamirira vakarurama panzira yakaipa, achawira mumuteyo wake pachake, asi vasina mhosva vachagamuchira nhaka yakanaka. Munhu akapfuma angazviti akachenjera pakuona kwake, asi murombo ane njere anomuonorora. Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru; asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda. Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri, asi ani naani anozvireurura nokuzvirasa achawana nyasha. Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha, asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko. Seshumba inoomba, kana bere rinodzingirira, ndizvo zvakaita munhu akaipa anobata ushe pamusoro pavarombo. Mubati anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji. Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya, acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa; ngapasava nomunhu anomutsigira. Uyo ano mufambiro wakarurama anogara akachengetedzeka, asi uyo ane nzira dzakatsauka achawa nokukurumidza. Uyo anorima munda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anodzinganisana nezviroto achava nourombo hwakamufanira. Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru, asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa. Kuita rusarura hakuna kunaka, asi kunyange zvakadaro munhu angaita zvakaipa kuti awane chimedu chechingwa. Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma asingazivi kuti urombo hwakamugaririra. Uyo anotsiura munhu iye achawana nyasha dzakawanda pakupedzisira, kupfuura uyo ane rurimi runonyengera. Uyo anobira baba kana mai vake achiti, “Hazvina kuipa,” ndiye shamwari youya anoparadza. Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana, asi uyo anovimba naJehovha achabudirira. Uyo anovimba nesimba rake ibenzi, asi uyo anofamba muuchenjeri achachengetedzeka. Uyo anopa kuvarombo haangashayiwi chinhu, asi uyo anotsinzina meso ake kuvarombo achagamuchira kutukwa kuzhinji. Kana akaipa achienda pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda; asi kana vakaipa vachiparara, vakarurama vanowanda. Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira. Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara; asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera. Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake. Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza. Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure. Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara. Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo. Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa. Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi, benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare. Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akaruruma, uye vanotsvaka kuuraya vakarurama. Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata. Kana mubati akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa. Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone. Kana mambo akatonga varombo nokururamisira, chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose. Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake. Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo. Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako. Pasina chiratidzo, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro. Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri. Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye. Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira. Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zhizhinji. Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa. Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu. Kutya munhu kuchava musungo, asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka. Vazhinji vanotsvaka nyasha kumubati, asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha. Vakarurama vanovenga vasina kutendeka; vakaipa vanovenga vakarurama. Zvirevo zvaAguri mwanakomana waJake, shoko rake: Murume uyu akati kuna Itieri, kuna Itieri nokuna Ukari: “Ndini munhu asingazivi zvikuru kwazvo pakati pavanhu; handina kunzwisisa kwomunhu. Handina kudzidza uchenjeri, uye handina ruzivo rwaiye Mutsvene. Ndiani akakwira kudenga uye akazoburuka? Ndiani akabata mhepo mumaoko ake? Ndiani akasungirira mvura munguo yake? Ndiani akaisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, uye nezita romwanakomana wake? Ndiudzei kana muchiriziva! “Shoko rimwe nerimwe raMwari nderechokwadi; iye chidzitiro kuna avo vanovanda maari. Usawedzera kumashoko ake, kana kuti achakutsiura uye agokuratidza kuti uri murevi wenhema. “Zvinhu zviviri zvandinokumbira kwamuri, imi Jehovha, musandirambira izvi ndisati ndafa: Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni; musandipa urombo kana pfuma, asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose. Zvichida, ndingava nezvakawanda kwazvo ndikasakukudzai, uye ndikazoti, ‘Jehovha ndianiko?’ Kana kuti zvimwe ndingava murombo ndikaba, uye ndikasaremekedza zita raMwari wangu. “Usareva muranda kuna tenzi wake, nokuti achakutuka, uye uchazviripira izvozvo. “Kuna avo vanotuka madzibaba avo uye vasingaropafadzi vanamai vavo; vaya vanozviti vakachena pamaonero avo asi vasina kusukwa tsvina yavo; vaya vane meso anozvikudza nguva dzose, vane matarisiro okushora; vaya vane meno anenge minondo nameno eshaya dzavo anenge mapanga kuti vaparadze varombo panyika, navanoshayiwa kubva pakati pavanhu. “Chikwevaropa chine vanasikana vaviri. Vanodanidzira vachiti, ‘Tipei! Tipei!’ “Kune zvinhu zvitatu zvisingatongoguti, zvina zvisingamboti, ‘Zvaringana!’: guva, chizvaro chisingabereki, pasi pasingaguti mvura, nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’ Ziso rinotuka baba, rinoshora kuteerera mai, richanongorwa namakunguo omumupata, richadyiwa namagora. “Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti: nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana. “Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve: Anodya agopukuta muromo wake uye agoti, ‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’ “Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona: muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji, mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume. “Panyika pane zvinhu zvina zvidiki, asi zvakachenjera kwazvo: Majuru zvipuka zvine simba duku asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha: mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo; mhashu hadzina mambo, asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo; dzvinyu rinogona kubatwa namaoko, asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo. “Kune zvinhu zvitatu zvino kufamba kunokudzwa kwazvo, zvina zvino kufamba kunokudzwa kwazvo; shumba, ine simba pakati pezvikara, isingadududzi pamberi pechikara chipi zvacho; mafambiro okuzvikudza ejongwe, nenhongo yembudzi, uye namambo akakomberedzwa navarwi vake. “Kana uchinge waita upenzi nokuzvirumbidza pachako, kana kuti waronga zvakaipa, bata muromo wako noruoko rwako! Nokuti somukaka warozva unobudisa ruomba, uye sokudzvinyirira mhino kunobudisa ropa, nokudaro kumutsa hasha kunobudisa kukakavara.” Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake: “Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka, iwe mwanakomana wemhiko dzangu, usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo. “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri, hazvina kufanira madzimambo kunwa waini, hazvina kufanira vabati kukara doro, nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose. Ipai doro kuna avo vari kuparara, newaini kuna avo vari mukurwadziwa: regai vanwe vakanganwe urombo hwavo, uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo. “Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa. Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.” Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi. Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha. Anomuitira zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake. Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira. Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure. Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya nokupa varandakadzi vake basa ravo. Anonan'anidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake. Anoita basa rake nesimba; kuti aite maoko ake akasimba mabasa ake. Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira, uye mwenje wake haudzimi pausiku. Muruoko rwake anobata chirukiso, uye anobata chirukwa neminwe yake. Anotambanudzira maoko ake kuvarombo, uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa. Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake; nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya. Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake; anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru. Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta, kana agere pakati pavakuru venyika. Anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa, uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro. Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake; anofara akatarisana namazuva anouya. Anotaura nouchenjeri, uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake. Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe. Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza: “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.” Zvinofadza zvinonyengera, uye runako runopera; asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa. Mupeiwo mubayiro wake waakashandira, uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta. Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema: Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.” Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva? Marudzi anouya uye marudzi anoenda, asi nyika inogara nokusingaperi. Zuva rinobuda uye zuva rinovira, uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira. Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi, yozodzokera kumusoro; inotenderera nokutenderera ichingodzokerazve pagwara rayo. Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari. Kunzvimbo kwadzinobva nzizi, ikoko ndiko kwadzinodzokerazve. Zvinhu zvose zvinonetesa, zvisina ani angazvitaura. Ziso hariguti kuona, uye nzeve haizari nokunzwa. Chakanga chiripo, chichazovapozve, chakamboitwa chichaitwazve; hapana chitsva pasi pezuva. Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu, “Tarira! Chinhu ichi chitsva?” Chakanga chichingovapo, kare kare; chakanga chiripo isu tisati tavapo. Marudzi akapfuura haacharangarirwi; uye marudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozotevera. Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema. Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro. Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi. Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi. Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.” Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo. Nokuti muuchenjeri huzhinji muno kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema. Ndakati mumwoyo mangu, “Uya zvino, ndichakuedza nomufaro kuti uzive chakanaka.” Asi naizvozviwo hazvina maturo. Ndakati, “Kuseka upenzi, uyezve mafaro anobatsireiko?” Ndakaedza kuzvifadza newaini, uye kumbundikira upenzi, pfungwa dzangu dzichinditungamirira nouchenjeri. Ndaida kuona kuti chii chakafanira kuti vanhu vaite pasi pedenga mumazuva mashoma oupenyu hwavo. Ndakaita mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba ndikazvirimira minda yemizambiringa. Ndakazvigadzirira mapindu, neminda yemiti uye ndikasimamo miti yemichero yendudzi dzose. Ndakavaka madhamu kuti ndidiridzire sango remiti yaikura. Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema. Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji. Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni. Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu, handina kurambidza mwoyo wangu mufaro. Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose, uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose. Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane, zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo; hapana chaibatsira pasi pezuva. Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri, noupengowo uye noupenzi. Chii chimwe chingaitwa nomunhu anotevera mumwe paumambo kunze kwezvakatoitwa kare? Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi, sezvo chiedza chiri nani pane rima. Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make, uku benzi richifamba murima; asi ndakasvika pakuziva kuti vose vanowirwa nedambudziko rimwe chete. Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Magumo ebenzi achandiwanawo neni. Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?” Ndakati mumwoyo mangu, “Izviwo hazvina maturo.” Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa; mumazuva anouya vose vachazokanganwikwa. Kufanana nebenzi, akachenjera anofanira kufawo! Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandirwadza kwazvo. Zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo. Ndakavenga zvinhu zvose zvandakashingairira pasi pezuva, nokuti ndinofanira kuzvisiyira anonditevera. Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo. Saka mwoyo wangu wakatanga kushungurudzika pamusoro pokutambudzika nokushanda kwangu pasi pezuva. Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo. Munhu anowanei pakushanda kwose nokushingaira kwomwoyo nokuda kwokushanda kwake pasi pezuva? Mazuva ake ose basa rake kurwadziwa nokusuwa; kunyange nousiku pfungwa dzake hadzizorori. Naizvozviwo hazvina maturo. Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari, nokuti kana pasina iye, ndiani angadye kana kuwana mufaro? Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo. Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga: nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura; nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka; nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana; nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega; nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike, nguva yokuchengeta nenguva yokurasa; nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura; nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare. Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose? Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari. Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira. Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu. Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari. Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze. Chipi nechipi chiripo zvino, chakagara chiripo kare, uye zvichazovapo zvakatovapo kare; uye Mwari anotsvakazve zvakapfuura. Uyezve ndakaona chimwe chinhu pasi pezuva: Panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo, panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo. Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Mwari achatonga vose vakarurama nevakaipa, nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.” Ndakatizve, “Kana vari vanhu, Mwari anovaedza kuti vaone kuti vakangofanana nemhuka. Zvinoitika kumunhu zvakafanana nezvinoitika kumhuka; zvose zvinoitirwa zvimwe chetezvo: sokufa kunoita chimwe, chimwe chinofawo. Zvose zvinofema mweya mumwe; munhu hapana paanopfuura mhuka. Zvose hazvina maturo. Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete; zvose zvinobva kuvhu, uye kuvhu zvose zvinodzokera. Ndiani angaziva kana mweya womunhu uchikwira kuenda kumusoro uye kana mweya wemhuka uchidzika pasi?” Saka ndakaona kuti hapana chingapfuure ichi, kuti munhu afadzwe nebasa rake, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Nokuti ndiani achazomudzosazve kuti aone zvichazoitika shure kwake? Ndakatarirazve ndikaona udzvinyiriri hwose hwaiitika pasi pezuva: Ndakaona misodzi yavanodzvinyirirwa, uye havana munyaradzi; simba raiva kudivi ravadzvinyiriri vavo, uye havana munyaradzi. Ndakati vakafa, vakanguri vafa kare, vano mufaro kupfuura vapenyu, vachiri kurarama. Asi ari nani kupfuura vose ndiye uyo asati atombovapo, uyo asati amboona zvakaipa zvinoitwa pasi pezuva. Uye ndakaona kuti kushanda kwose nokuwana kwose kwomunhu kunobva pakuchiva muvakidzani wake. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo. Benzi rinopeta maoko aro, rozviparadza. Tsama imwe yorugare inopfuura tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo. Zvino ndakaona chinhu chisina maturo pasi pezuva. Kwaiva nomunhu aigara ari oga; akanga asina mwanakomana, kana munun'una. Kushanda kwake kwakanga kusina magumo, kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake. Akabvunza akati, “Ndinotambudzikira aniko, uye sei ndichizvinyima mafaro?” Naizvozviwo hazvina maturo, basa rokutambura! Vaviri vari nani pano mumwe chete, nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo: Kana mumwe akawira pasi, shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare. Asi ane nhamo munhu anowira pasi, asina anomusimudza! Uyezve kana vaviri vachivata pamwe chete, vachadziyirwa. Asi mumwe chete angadziyirwa sei? Munhu mumwe chete angakurirwa simba, asi vaviri vanozvidzivirira. Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa. Jaya murombo asi rakachenjera riri nani kupfuura mambo mutana nebenzi, asisazivi kuteerera kana achipiwa yambiro. Jaya ringava rakabva mutorongo rikazova mambo, kana angava akaberekwa ari muurombo, muushe hwokwake. Ndakaona kuti vose vapenyu vakafamba pasi pezuva vakatevera jaya, rakazotevera panzvimbo yamambo. Vakanga vasingaverengeki vanhu vose vaaitonga. Asi vakazouya pashure havana kufadzwa neakange achitonga panzvimbo yamambo. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo. Chenjerera rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari. Enda pedyo undonzwa pano kuti upe chibayiro chamapenzi, vasingazivi kuti vanoita zvakaipa. Usakurumidza nomuromo wako, usakurumidza mumwoyo mako kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari. Mwari ari kudenga uye iwe uri pasi, saka mashoko ako ngaave mashoma. Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji. Kana waita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa. Iye haafariri mapenzi; zadzisa mhiko yako. Zviri nani kurega kupika pano kuita mhiko wozorega kuizadzisa. Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako? Kurota kuzhinji namashoko mazhinji hazvina maturo. Naizvozvo mira utye Mwari. Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa mudunhu uye achinyimwa kururamisirwa nekodzero, usashamiswa nezvinhu zvakadai; nokuti mumwe mukuru anotarirwa nomumwe ari pamusoro pake, uye pamusoro pavo vose pane vamwe vakavakurirawo. Zvinowanikwa kubva panyika zvinotorwa navose; iye mambo ane zvaanowana kubva kuminda. Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana; ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana. Naizvozviwo hazvina maturo. Nokuwanda kunoita pfuma, ndiko kuwanda kunoitawo vanoidya. Uye zvinobatsireiko kumuridzi wayo kunze kwokungogutsa meso ake nayo? Hope dzomushandi dzakanaka, hazvinei kuti adya zvishoma kana zvizhinji, asi kuwanda kwezvinhu zvomupfumi hakumuwanisi hope. Ndakaona chinhu chakaipisisa pasi pezuva: pfuma inounganidzwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo, kana pfuma inorasika nokuda kwechinhu chakaipa chinomuwira, kuti kana abereka mwana mukomana anoshaya chaanomusiyira. Munhu sezvaanobuda mudumbu ramai vake, uye sokuuya kwake, saizvozvowo anoenda. Haana chaanotakura chinobva pabasa rake, chaangaenda nacho muruoko rwake. Ichi zvakare chinhu chakaipa kwazvo: Sokuuya kunoita munhu saizvozvowo anoenda, uye chii chaangawana, iye achishandira mhepo? Pamazuva ake ose anodyira murima, nokudzungaira kukuru, kutambudzika uye nehasha. Ipapo ndakaziva kuti zvakanaka uye zvakafanira kuti munhu adye uye anwe, uye kuti azviwanire kugutsikana mukushanda kwake kwaakabata pasi pezuva pamazuva ake mashoma oupenyu aakapiwa naMwari, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Pamusoro pezvo, Mwari paanopa munhu upi zvake mari nezvinhu, uye achiita kuti akwanise kuti afadzwe nazvo kuti agamuchire mugove wake uye kuti afadzwe nebasa rake, ichi chipo chinobva kuna Mwari. Haawanzofunga pamusoro poupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura zvinofadza mwoyo wake. Ndakaona chimwe chinhu chakaipa pasi pezuva, uye chinoremedza vanhu zvikuru: Mwari anopa munhu mari nezvinhu zvakawanda uye nokukudzwa, zvokuti haana chaangashayiwa pazvinhu zvinodiwa nomwoyo wake, asi Mwari haazomutenderi kuti afadzwe nazvo, uye mutorwa ndiye anozofadzwa nazvo panzvimbo yake. Izvi hazvina maturo, chinhu chakaipa chinorwadza. Munhu angava navana zana agorarama makore akawanda, asi hazvinei kuti ararama nguva yakareba sei, kana akasafara nezvaanowana uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana aberekwa ari gavamwedzi ari nani pana iye. Anouya asina zvaanoreva anoendazve murima, uye murima zita rake rinofukidzirwa. Kunyange asina kumboona zuva kana kuziva chinhu, ane zororo rinopfuura munhu iyeyu, kunyange akararama makore anokwana zviuru zviviri, asi akatadza kufadzwa nezvaanowana. Ko, vose havaendi kunzvimbo imwe chete here? Kushingaira kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake, kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi. Ko, akachenjera anokurira benzi pachii? Ko, murombo anowanei nokuziva kuzvibata pamberi pavamwe? Zviri nani zvinoonekwa nameso pane kutsvaka-tsvaka kwomwoyo. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo. Chinhu chipi nechipi chiripo chakapiwa zita kare, uye munhu zvaari zvakazivikanwa kare; hakuna munhu anorwisana nomunhu anomupfuura pasimba. Kuwanda kwamashoko ndikowo kuwanda kwezvisina maturo, uye zvingabatsira aniko zvakadai? Zvino ndiani angaziva zvakanakira munhu muupenyu, pamazuva mashoma uye asina maturo anopfuura somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvinozomutevera mushure mokunge iye aenda? Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuwira zvakanaka kwazvo, uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa. Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pano kuenda kuimba yamabiko, nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose; vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo. Kusuwa kunopfuura kuseka, nokuti chiso chinopunyaira chakanakira mwoyo. Mwoyo womuchenjeri uri mumba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri kuimba yamafaro. Zviri nani kuteerera kutsiura kwomunhu akachenjera, pano kuteerera rwiyo rwamapenzi. Sokuputika kweminzwa pasi pehari, ndizvo zvakaita kuseka kwamapenzi. Naizvozviwo hazvina maturo. Udzvinyiriri hunoshandura muchenjeri achiva benzi, uye fufuro inosvibisa mwoyo. Magumo echinhu anopfuura mavambo acho, uye mwoyo murefu unopfuura kuzvikudza. Usakurumidza kutsamwa pamweya wako nokuti kutsamwa kunogara muchipfuva chamapenzi. Usati, “Sei mazuva akare ari nani kupfuura azvino?” Nokuti hazvina kuchenjera kubvunza mibvunzo yakadaro. Uchenjeri chinhu chakanaka senhaka, uye hunobatsira avo vanoona zuva. Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari, asi kunakisa kworuzivo ndokuku: kuti uchenjeri hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo. Cherechedza zvakaitwa naMwari: Ndiani angatwasanudza zvaakagonyanisa? Kana zvinhu zvakanaka, fara; asi kana nguva dzakaipa, rangarira kuti: Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviri zviviri. Naizvozvo, munhu haagoni kuziva chinhu pamusoro peramangwana rake. Muupenyu hwangu husina maturo ndakaona zvose izvi: akarurama achiparara mukururama kwake, nowakaipa achirarama nguva refu mukuipa kwake. Usava munhu akanyanyisa kururama, kana munhu akanyanyisa kuchenjera, uchazviparadzireiko? Usava munhu akanyanyisa kuipa, uye usava benzi. Ungada kufa nguva yako isati yakwana? Zvakanaka kubatisisa chimwe chinhu, uye usingaregedzi chimwe chacho chichienda. Munhu anotya Mwari acharega kuita zvinopfurikidza. Uchenjeri hunoita kuti mumwe munhu akachenjera ave nesimba guru kupfuura vatariri gumi vari muguta. Hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka uye asingatadzi. Usava nehanya namashoko ose anotaurwa navanhu, zvichida ungangonzwa muranda wako achikutuka, nokuti unoziva mumwoyo mako kuti nguva zhinji iwe pachako wakambotuka vamwe. Zvose izvi ndakazviedza nouchenjeri ndikati, “Ndakazvipira kuva munhu akachenjera,” asi izvi zvaiva kure neni. Chii zvacho chingava uchenjeri, chiri kure kwazvo uye chakadzama, ndiani angachiwana? Saka ndakashandura pfungwa dzangu ndikatanga kutsvaka kunzwisisa, kuti ndiongorore uye nditsvakisise uchenjeri nourongwa hwezvinhu, uye kuti ndinzwisise upenzi hwokuipa nomupengo hwoupenzi. Ndakawana chinhu chinovava kupfuura rufu, mukadzi anova musungo, mwoyo wake uri hunza uye maoko ake ari ngetani. Munhu anofadza Mwari achapunyuka kwaari, asi mutadzi achabatwa naye. Muparidzi anoti, “Tarira, izvi ndizvo zvandakawana: “Ndichisanganisa chimwe nechimwe kuti ndiwane marongerwo ezvinhu, pandakanga ndichiri kutsvaka asi ndisina chandinowana, ndakawana murume mumwe chete akarurama pakati pechiuru, asi handina kuwana mukadzi mumwe chete akarurama pakati pavo vose. Chinhu ichi chete ndicho chandakawana chokuti: Mwari akaita vanhu vakarurama, asi vanhu vakaenda kundotsvaka mano mazhinji.” Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva tsananguro yezvinhu? Uchenjeri hunobwinyisa chiso chomunhu uye hunoshandura kuomarara kwechiso. Ndinoti, teerera murayiro wamambo, nokuti wakaita mhiko pamberi paMwari. Usakurumidza kubva pamberi pamambo. Usamiririra zvinhu zvakaipa, nokuti iye achaita chinhu chipi zvacho chinomufadza. Sezvo shoko ramambo riri pamusoro pamashoko ose, ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?” Ani naani zvake achateerera murayiro wake haangawani chinomukuvadza, uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yakafanira namaitiro akafanira. Nokuti kune nguva yakafanira namaitiro akafanira pazvinhu zvose, kunyange nhamo yomunhu ichimuremera zvikuru. Sezvo pasina munhu anoziva ramangwana, ndiani angamuzivisa zvichauya? Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo kuti aitonge; saizvozvowo hakuna munhu ane simba pamusoro pezuva rokufa kwake. Sezvo kusinawo munhu anoregedzeswa kurwa panguva yehondo, saizvozvowo zvakaipa hazvingaregedzi uyo anozviita. Zvose izvi ndakazviona, pandakaisa pfungwa dzangu pane zvose zvinoitwa pasi pezuva. Pane nguva yokuti mumwe munhu anenge ane simba pamusoro pavamwe, asi achizvikuvadza pachake. Zvino ndakaonazve vakaipa vachivigwa mumakuva, vose vaisiuya nokuenda kubva kunzvimbo tsvene uye vachirumbidzwa muguta mavaiitira izvi. Naizvozviwo hazvina maturo. Kana mhosva ikarega kukurumidza kutongwa, mwoyo yavanhu ichazara nezvirongwa zvokuita zvakaipa. Kunyange munhu akaipa akapara mhosva dzinosvika zana agorarama nguva refu, ndinoziva kuti zvichava nani kuna vanhu vanotya Mwari, avo vanokudza Mwari. Asi nokuti vakaipa havatyi Mwari, hazvizovanakira, uye mazuva avo haangarebi somumvuri. Pane chimwezve chinhu chisina maturo chinoitika panyika: Vanhu vakarurama vanoitirwa zvakafanira kuitirwa vakaipa, uye vanhu vakaipa vanowana zvakafanira kuwanikwa navakarurama. Naizvozviwo ndinoti hazvina maturo. Saka ndinokurudzira vanhu kuti vafadzwe noupenyu, nokuti hapana chinhu chiri nani kumunhu pasi pezuva kupfuura kudya nokunwa nokufara. Ipapo mufaro uchamutevera mubasa rake mazuva ose oupenyu hwaakapiwa naMwari pasi pezuva. Pandakaisa pfungwa dzangu kuti ndizive uchenjeri nokuongorora mabasa omunhu panyika, maziso ake asingawani hope usiku namasikati, ipapo ndakaona zvose zvakaitwa naMwari. Hapana munhu angazvinzwisisa zvinoitika pasi pezuva. Hazvinei kuti munhu anoedza sei kuzvitsvaka, munhu haangagoni kuziva zvazvinoreva. Kunyange munhu akachenjera akati anozviziva haangakwanisi kunyatsozvinzwisisa. Nokudaro ndakafunga pamusoro pezvose izvi uye ndikapedzisira nokuti vakarurama navakachenjera, nezvavanoita zviri mumaoko aMwari, asi hakuna munhu anoziva kuti rudo here kana ruvengo zvakamumirira. Vose vane mugumo wakafanana, akarurama neakaipa, akanaka nomutadzi, akachena neakasviba, avo vanobayira zvibayiro neavo vasingabayiri. Sezvazvakaita nomunhu akanaka, ndizvozvowo nomutadzi; sezvazvakaita neavo vanoita mhiko, ndizvozvowo neavo vanotya kuita mhiko. Ichi ndicho chinhu chakaipa pane zvose zvinoitika pasi pezuva: Vose vane mugumo mumwe chete. Pamusoro pezvo, mwoyo yavanhu izere nezvakaipa uye mumwoyo yavo mune upenzi panguva yokurarama kwavo, uye shure kwaizvozvo vanobatana navakafa. Ani naani ari pakati pavapenyu ane tariro; kunyange imbwa mhenyu iri nani kupfuura shumba yakafa! Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havana chavanoziva; havachinazve mumwe mubayiro, uye nokurangarirwa kwavo kwakanganikwa. Rudo rwavo, ruvengo rwavo negodo zvakanguri zvapera kare; havachazovizve nechikamu, pane zvose zvinoitika pasi pezuva. Enda, undodya zvokudya zvako nomufaro, unwe waini nomwoyo wakafara, nokuti ndiye zvino Mwari paari kufadzwa namabasa ako. Nguva dzose upfeke nguo chena, uye ugare wakazodza musoro wako namafuta. Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva. Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri. Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva: Anomhanyisa haasi iye anokunda uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa, uye akachenjera haasi iye ane zvokudya, uye vane njere havasi ivo vane pfuma, uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu; asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika. Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika: Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri dzinobatwa murugombe, saizvozvowo vanhu vanobatwa nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire. Ndakaonazve pasi pezuva muenzaniso uyu wouchenjeri wakandifadza zvikuru: Kwakanga kune guta duku, raiva navanhu vashoma mariri. Mumwe mambo ane simba akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurirwisa. Zvino muguta umu maigara mumwe murume akanga ari murombo asi akachenjera, uye akaponesa guta iri nouchenjeri hwake. Asi hakuna munhu akarangarira murombo uya. Saka ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba.” Asi uchenjeri hwomurombo hunoshorwa uye mashoko ake haangateererwi. Mashoko manyoro omuchenjeri anoteererwa kupfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi. Uchenjeri hunopfuura zvombo zvehondo, asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji. Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa mafuta akanaka, saizvozvowo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa. Mwoyo womunhu akachenjera unosimbira kurudyi, asi mwoyo webenzi unosimbira kuruboshwe. Kunyange richifamba pamugwagwa, benzi rinoshayiwa njere uye rinoratidza vanhu vose upenzi hwaro. Kana kutsamwa kwomubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; unyoro hunonyaradza mhosva huru. Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, kutadza kunobva kuvabati: Mapenzi anoiswa munzvimbo zhinji dzapamusoro, ipapo vapfumi vachitora nzvimbo dzakaderera. Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, ipapo machinda achifamba pasi netsoka savaranda. Ani naani anochera gomba angangowira mariri; ani naani anopwanya naparusvingo angangorumwa nenyoka. Ani naani anopwanya matombo angangokuvadzwa nawo; ani naani anotsemura matanda angangozviisa panjodzi nawo. Kana demo rakagomara uye rikasarodzwa, panodiwa simba rakawanda, asi unyanzvi hunouyisa kubudirira. Kana nyoka ikaruma isati yabviswa uturu, murapi haachabatsiri. Mashoko anobva mumuromo momunhu akachenjera ane unyoro, asi benzi rinomedzwa nomuromo waro. Kutanga kwamashoko ake upenzi; nokuguma kwokutaura kwake mupengo wakashata. Uye benzi rinowanza mashoko. Hapana munhu anoziva zvichauya, ndiani angamuudza zvichaitika shure kwake? Basa rebenzi rinomunetesa; haazivi nzira inoenda kuguta. Une nhamo iwe nyika ina mambo ava muranda uye ina machinda anoita mabiko mangwanani. Wakaropafadzwa iwe nyika ina mambo akaberekwa mukukudzwa uye ina machinda anodya panguva yakafanira, kuti vasimbiswe kwete kuti vadhakwe. Kana munhu ari simbe, denga remba rinosakara; kana achigarira maoko, imba inobvinza. Mabiko anoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu, asi mari imhinduro kune zvose. Usatuka mambo kunyange mupfungwa dzako, kana kutuka mupfumi paimba yako yokuvata, nokuti shiri yedenga ingangotakura mashoko ako, uye china mapapiro chingangozivisa zvawataura. Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji, nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve. Govera vanomwe, kunyange navaserewo; nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika. Kana makore azara nemvura anonayisa mvura panyika. Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro, panzvimbo paunowira, ndipo paucharara. Ani naani anotarira mhepo haangadyari; ani naani anotarira makore haangakohwi. Sezvo usingazivi nzira yemhepo, kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai, saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari, Muiti wezvose. Kusha mbeu dzako mangwanani, uye madekwana urege kugarira maoko ako, nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chingava ichi kana icho, kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka. Chiedza chakanaka, uye zvinofadza meso kuona zuva. Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji, ngaafadzwe nawo ose. Asi ngaarangarire mazuva erima, nokuti achava mazhinji. Zvose zvichazouya hazvina maturo. Fara zvako jaya, pauduku hwako, uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako. Tevera nzira dzomwoyo wako, nezvose zvingaonekwe nameso ako, asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi Mwari achakusvitsa pakutongwa. Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako, nokuti uduku nesimba hazvina maturo. Rangarira Musiki wako pamazuva ouduku hwako, mazuva okutambudzika asati auya, namakore asati aswedera pauchati, “Handioni zvinofadza maari,” zuva nechiedza uye nomwedzi nenyeredzi zvisati zvadzima, uye makore asati adzoka mushure mokunaya kwemvura; kana vatariri vemba vodedera, navarume vakasimba vokotama, kana vakuyi vorega nokuti vashoma, uye vaya vanotarira napamawindo voonera madzerere; kana mikova yokunzira ichinge yapfigwa uye maungira okukuya oderera; kana vanhu vomutswa nokuimba kweshiri asi nziyo dzavo dzose dzisisanzwiki zvakanaka; kana vanhu votya nzvimbo dzakakwirira nenjodzi mumigwagwa; kana muamanda wotumbuka nemhashu yozvikwekweredza uye kuda kwose kwapera. Ipapo munhu anoenda kumusha wake usingaperi, uye vanochema vachafamba-famba munzira. Murangarirei, rwodzi rwesirivha rusati rwadambuka; uye mbiya yegoridhe isati yaputswa; chirongo chisati chapwanyika pachitubu, uye vhiri risati raputswa patsime, uye guruva risati radzokera kuvhu kwarakabva, nomweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa. Muparidzi anoti, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Zvose hazvina maturo!” Muparidzi akanga asina kuchenjera chete asi akadzidzisawo zivo kuvanhu. Akarangarira akaongorora uye akaronga zvirevo zvizhinji. Muparidzi akatsvaka kuti awane mashoko akanaka chete, uye zvaakanyora zvakarurama uye ndezvechokwadi. Mashoko avachenjeri akafanana nezvibayiso, mashoko avo akaunganidzwa akasimbiswa sembambo dzakarovererwa kwazvo, akapiwa noMufudzi mumwe chete. Yambirwa, mwanakomana wangu, kuti pasava nechinhu chipi zvacho chichawedzerwa pazviri. Zvokunyora mabhuku mazhinji hazvina magumo, uye kudzidza zvizhinji kunonetesa muviri. Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu. Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe kusanganisira nezvakavanzika zvose, zvakanaka kana zvakaipa. Rwiyo Rukuru rwaSoromoni: Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini. Kunhuwirira kwamafuta enyu kunofadza; zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai! Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati. Tinokupembererai nokukufarirai, ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini. Regai zvenyu mhandara dzikudei! Kusviba ndakasviba zvangu, vanasikana veJerusarema, asi ndakanaka hangu, ndakasviba samatende eKedhari, kana kuti samaketeni apamawindo eimba yaSoromoni. Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, nokuti ndakasvibiswa nezuva. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva. Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako nokwaunozorodzera makwai ako masikati. Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake pedyo namakwai eshamwari dzako? Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe, chitevera makwara amakwai ugondofudzira mbudzana dzako pedyo namatende avafudzi. Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa pane imwe yengoro dzaFaro. Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha. Tichakugadzirira mhete dzenzeve dzegoridhe nesirivha. Mambo paakanga agere patafura yake, munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira. Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura kanogara pakati pamazamu angu. Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi. Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu! Aa, wakazonaka! Meso ako injiva chaidzo! Wakanaka sei, mudiwa wangu! Aa, unofadza! Uye uvato hwedu hwakasvibira. Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari; mbariro dzacho ndedzomupaini. Ndiri ruva reSharoni, ruva romumipata. Seruva riri pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara. Somuti womuapuro pakati pemiti yesango, ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya. Ndinofarira kugara mumumvuri wake, uye muchero wake unondinakira kuudya. Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo. Ndisimbise namazambiringa akaomeswa, ndisimbise namaapuro; nokuti ndoziya norudo. Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira. Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai nemhara uye nenondo dzesango: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga. Inzwai! Inzwi romudiwa wangu! Tarirai! Hoyo ouya achiuruka nomumakomo, achikwakuka nomuzvikomo. Mudiwa wangu akafanana nemhara kana netsvana yenondo. Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu, akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo. Mudiwa wangu akataura kwandiri akati, “Simuka, mudiwa wangu, iwe munakunaku wangu, uya tiende tose. Tarira! Nguva yechando yapera; mvura yapera; uye haichanayi. Maruva oonekwa panyika; nguva yokuimba yasvika, kurira kwenjiva kwonzwikwa munyika yedu. Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.” Njiva yangu iri mumikaha yedombo, munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo, ndiratidze chiso chako, ndinoda kunzwa inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chinoyevedza. Tibatirei makava, ivo vana vemakava anoparadza minda yemizambiringa, iyo mizambiringa yedu yotunga maruva. Mudiwa wangu ndowangu uye ndiri wake; anofamba-famba pakati pamaruva omubani. Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yatiza, pinduka, mudiwa, ubva waita semhara kana tsvana pamusoro pezvikomo. Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu; ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta, mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro; ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu. Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. “Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?” Ndichingopfuudzana navo ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu. Ndakamubata ndikasamuregedza kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu, kuimba yaavo vakandibereka. Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai nemhara kana nenondo dzesango kuti: usazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga. Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje seshongwe youtsi ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuwira zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuwira zvavashambadzi? Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni, yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda, apamusoro-soro omuIsraeri. Mumwe nomumwe wavo ane munondo parutivi rwake, vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku. Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro; akaigadzira nemiti yokuRebhanoni. Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha, pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe. Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru, mukati mayo makashongedzwa norudo navanasikana veJerusarema. Budai imi vanasikana veZioni, muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona, korona yaakapfekedzwa namai vake musi wesvitsa, zuva iro mwoyo wake wakafara. Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi. Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa, ari kubva kundoshambidzwa. Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro, pasina riri roga zvaro. Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Matama ako uri mumumbure wako akaita sezvikamu zviviri zvedamba. Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi yakavakwa zvinoyevedza. Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru dzose dziri nhoo dzemhare. Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara, mapatya emhara dzinofura pamwe chete pakati pamaruva. Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yotiza, ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuwira. Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu; mauri hamuna kana chinongo. Ngatiendei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu, ngatiendei tose kuRebhanoni. Buruka kubva pamusoro-soro peAmana, kubva pamusoro peSeniri, panhongonya peHerimoni, kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada. Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; ndatorwa mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako. Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runofadza sei kukunda waini. Uye kunhuwira kwamafuta ako okuzora vkunokunda zvose zvinonhuwira. Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni. Wakaita sebindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Wakaita setsime rakakomberedzwa nechisipiti chakavakirirwa. Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi, naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuwira nemura negavakava, uye zvose zvinonhuwira zvakanakisisa. Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni. Muka iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira. Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu; ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuwira zvangu. Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu; ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, imi shamwari, uye munwe; Inwai mugute, imi vadiwa. Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura. Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza. Anoti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, wangu asina chinongo. Musoro wangu wanyorova nedova, bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hwousiku.” Ndabvisa nguo yangu, ndoipfekazve here? Ndashambidza tsoka dzangu, ndingagodzisvibisazve here? Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova; mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira. Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu, maoko angu akadonha mura, mimwe yangu ichiyerera mura, pazvibato zvechizarira. Ndakazarurira mudiwa wangu, asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda. Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake. Ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Ndakamudana asi haana kupindura. Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. Vakandirova, vakandikuvadza; vakanditorera jasi rangu, ivava varindi vamasvingo! Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai, kana mukaona mudiwa wangu, muchamuudzeiko? Mumuudze kuti ndinorwara norudo. Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, zvaunotirayira kudaro? Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vane zviuru gumi. Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo. Meso ake akafanana nenjiva dziri pahova dzemvura, dzakashambidzwa mumukaka, akarongwa nezvishongo. Matama ake akaita semihomba yezvinonhuwira. inobereka zvinonhuwira. Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura. Maoko ake itsvimbo dzegoridhe dzakaiswa mabwe anokosha. Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya dzakashongedzwa nesafiri. Makumbo ake imbiru dzamabwe machena akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, chakanakisisa semisidhari yayo. Muromo wake inhapitapi pachayo; zvirokwazvo akaisvonaka. Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusarema. Ko, mudiwa wako aendepiko, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako aenda nokupiko, kuti tigomutsvaka pamwe chete newe? Mudiwa wangu adzika kubindu rake, kumihomba yezvinonhuwirira, kuti andomema mumapindu nokutanha maruva. Ini ndiri womudiwa wangu uye mudiwa wangu ndowangu; anomema pakati pamaruva. Wakanaka iwe mudiwa wangu, seTiriza, unoyevedza seJerusarema, unoremekedzeka samauto ane mireza. Bvisa meso ako pandiri; anondikunda. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka muGireadhi. Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukushambidzwa. Rimwe nerimwe rine rarakafanana naro, pasina riri roga zvaro. Matama ako uri mumumbure wako akaita sezvikamu zviviri zvedamba. Kungava navanamambokadzi makumi matanhatu, navarongo makumi masere nemhandara dzisingaverengeki; Asi njiva yangu, iye akakwana wangu, ndiwe mumwe oga, mwanasikana mumwe oga wamai vake, iye woga anodikanwa naiye akamubereka. Mhandara dzakamuona dzikamuti akaropafadzwa. Vanamambokadzi navarongo vakamurumbidza. Ko, ndiani uyo anotaridzika samambakwedza, akanaka somwedzi, anopenya sezuva, akanaka senyeredzi dziri mumudungwe? Ndakadzika kusango remiti yemipfura kundoona zvitsva zvakamera mumupata, kundoona kana mizambiringa yainge yabukira, kana kuti mitamba yainge yava namaruva. Ndisati ndambodii, mwoyo wangu wakandiisa pakati pengoro dzoumambo dzavanhu vangu. Dzoka, dzoka iwe muShurami; dzoka, dzoka kuti timbokuona! Ko, munodirei kuona muShurami sezvamunoita mutambo weMahanaimi? Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu, iwe mwanasikana womuchinda! Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo, basa ramaoko emhizha. Guvhu rako rakatenderera somukombe unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka. Chiuno chako murwi wegorosi wakakomberedzwa namaruva. Mazamu ako akaita setsvana mbiri, mapatya emhara. Mutsipa wakaita seshongwe yakagadzirwa nenyanga dzenzou. Meso ako ndiwo madziva eHeshibhoni pasuo reBhati Rabhimi. Mhuno yako yakaita seshongwe yeRebhanoni yakatarisa kudivi reDhamasiko. Musoro wako unokushongedza nekorona seGomo reKarimeri. Bvudzi rako rakaita sezvirukwa zvomumba mamambo; mwoyo wamambo wakabatwa nokugadzirwa kwebvudzi rako. Wakanaka uye unofadza sei, iwe mudiwa nezvinofadza zvako! Chimiro chako chakaita somuti womuchindwi; uye mazamu ako samasumbu omuchero. Ndakati, “Ndichakwira muchindwi uyu, ndigobata muchero wawo.” Mazamu ako ngaaite samasumbu omuzambiringa, munhuwi wokufema kwako uite samaapuro, muromo wako ugoita sewaini yakanakisisa. Waini ngaiendeswe kumudiwa wangu chaiko, igoyerera zvinyoronyoro, napamiromo yake nameno ake. Ini ndiri womudiwa wangu, uye iye anondishuva. Uya, mudiwa wangu, ngatiendei kumunda, tigozopedza usiku hwose kumamisha. Ngatimukirei kuminda yemizambiringa tindoona kana mizambiringa yakabukira, uye kana maruva awo azaruka, uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva, ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu. Miti yemidiwadiwa inopa kunhuwira kwayo, uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose, zvose zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu. Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri, akanwa pamazamu amai vangu! Ipapo kana ndaikuwana panze, ndaikutsvoda uye hapana aizondishora. Ndaizokutora ndouya newe kumba kwamai vangu, ivo vakandidzidzisa. Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuwira kuti unwe, nomukume wemitamba yangu. Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira. Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga. Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pamudiwa wake? Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa; ipapo mai vako vakakubereka, ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka. Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu godo rarwo, seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo. Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; nzizi hadzigoni kurukukura. Kunyange munhu akapa pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, zvingazvidzwa chose. Tine hanzvadzi yedu duku uye mazamu ake haasati akura. Tichaitireiko hanzvadzi yedu pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe? Kana ari rusvingo, tichavaka shongwe dzesirivha paari. Kana ari musuo, tichamukomberedza namapuranga omusidhari. Ndiri rusvingo, mazamu angu akaita seshongwe. Ndizvo zvandava pamberi pake, somunhu anouyisa kugutsikana. Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni; akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira. Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo aiuya namashekeri chiurua esirivha. Asi munda wangu wemizambiringa ndowangu kuti ndiupe; Chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni, asi mazana mavirib ndeevanochengeta michero yawo. Iwe unogara mumapindu unoshandirwa neshamwari, rega ndinzwe inzwi rako! Handei mudiwa wangu, uite semhara kana setsvana pamusoro pamaakomo azere zvinonhuwira. Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona pamusoro peJudha neJerusarema pamazuva aUziya naJotamu, naAhazi naHezekia, madzimambo eJudha. Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika! Nokuti Jehovha akataura achiti, “Ndakarera vana ndikavakudza, asi ivo vakandimukira. Nzombe inoziva vatenzi vayo, nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo, asi Israeri haizivi, vanhu vangu havanzwisisi.” Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha; vakashora Mutsvene waIsraeri vakamufuratira. Mucharambireiko muchingorohwa? Munorambireiko muchimukira Jehovha? Musoro wenyu wose wakuvadzwa, mwoyo wenyu wose warwadziwa. Kubvira pasi porutsoka rwako kusvikira panhongonya yomusoro wako hapana pakukutu, anongova maronda nokurwadziwa namavanga akazaruka, asina kusukwa kana kusungwa kana kuzorwa mafuta. Nyika yenyu yaparadzwa, Maguta enyu apiswa nomoto; minda yenyu iri kutorwa navatorwa pamberi penyu chaipo, nyika yaparadzwa sapanoparadza vatorwa. Mwanasikana weZioni asiyiwa sedumba mumunda wemizambiringa, seimba mumunda wamanwiwa, seguta rakakombwa. Dai Jehovha Wamasimba Ose asina kutisiyira vakapukunyuka, tingadai takafanana neSodhomu, tingadai takaita seGomora. Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhomu; teererai kumurayiro waMwari wedu, imi vanhu veGomora! “Zvibayiro zvenyu zvizhinji, zvinyiko kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvibayiro zvinopiswa zvawandisa, zvamakondohwe namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; Handifadzwi neropa renzombe, ramakwayana nerembudzi. Pamunouya kuzozviratidza pamberi pangu, ndianiko akambokukumbirai izvi kwamuri, naikoku kutsika-tsika pavazhe dzangu? Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo! Zvinonhuwira zvenyu zvinondinyangadza. Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano, handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa. Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa nomweya wangu. Zvava mutoro kwandiri; ndaneta nokuzvitakura. Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera, ini ndichakuvanzirai chiso changu; kunyange mukawanza munyengetero, handisi kuzokunzwai. Maoko enyu azere neropa; shambai muzvinatse. Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu! Regai kuita zvakaipa, dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi. “Chiuyai zvino titaurirane,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange zvivi zvenyu zviri zvitsvuku zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai. Kana muchida uye muchiteerera muchadya zvakanakisa zvenyika; asi kana muchiramba uye muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo.” Nokuti muromo waJehovha wazvitaura. Tarirai guta rakatendeka rava chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisira; kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara mhondi! Sirivha yako yava nengura, waini yako yakavhenganiswa nemvura. Machinda ako vapanduki, ishamwari dzembavha; vose vanoda fufuro, uye vanomhanyira zvipo. Havana hanya nokudzivirira nherera; mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo. Naizvozvo Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, Anesimba waIsraeri, anotaura achiti, “Haiwa, ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, nokuzvitsivira vavengi vangu. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri; ndichapedza chose ngura yako ndigobvisa kusachena kwako kwose. Ndichadzosera vatongi vako samazuva akare, namachinda ako samazuva okutanga. Shure kwaizvozvo uchanzi Guta Rokururama, Guta Rakatendeka.” Zioni richadzikinurwa nokururamiswa, navanotendeuka varo, nokururama. Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose, uye vose vanosiya Jehovha vachaparara. “Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa, yamunofadzwa nayo; muchanyadziswa nokuda kwamapindu amakasarudza. Muchafanana nomuouki wasvava mashizha, sebindu risina mvura. Murume ane simba achava serwodzi nebasa rake sesasaradzi; zvose zvichatsva pamwe chete, pasina achadzima moto.” Izvi ndizvo zvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi, pamusoro peJudha neJerusarema: Mumazuva okupedzisira, gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa, richava guru pakati pamakomo; richakwiridzirwa pamusoro pezvikomo, uye ndudzi dzose dzichamhanyira kwariri. Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai ngatiendei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho Iye achatidzidzisa nzira dzake, kuitira kuti tigofamba mumakwara ake.” Nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva kuJerusarema. Iye achatonga pakati pendudzi nokupedzera marudzi mazhinji gakava. Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti. Rudzi rumwe harungazosimudziri munondo kuno rumwe rudzi, kana kuzodzidzirazve kurwa. Uyai, imi imba yaJakobho, ngatifambei muchiedza chaJehovha. Nokuti makasiya vanhu venyu, ivo imba yaJakobho. Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva; vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia, vachibatana maoko navahedheni. Nyika yavo izere nesirivha negoridhe; pfuma yavo haiperi. Nyika yavo izere namabhiza; ngoro dzavo hadziperi. Nyika yavo izere nezvifananidzo; vanopfugamira mabasa amaoko avo, kuzvinhu zvakaitwa neminwe yavo. Naizvozvo munhu achaderedzwa uye marudzi avanhu achaninipiswa, musavakanganwira. Pinda mumapako, uvande muguruva, ubve mukutyisa kwaJehovha nokubwinya kwoumambo hwake! Meso omunhu anozvikudza achaninipiswa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; asi Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro. Nokuti Jehovha Wamasimba Ose ane zuva raakachengetera avo vose vanozvikudza navanodada, navose vanokudzwa (uye vachaninipiswa), nemisidhari yose yeRebhanoni, yakareba neyakakwirira, nemiouki yose yeBhashani, namakomo ose akakwirira, nezvikomo zvose zvakakwirira, neshongwe dzose dzakakwirira, namasvingo ose akasimba, nezvikepe zvose zveTashishi, nemidziyo yose yakanaka. Kuzvikudza kwomunhu kuchaderedzwa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaninipiswa; Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro, uye zvifananidzo zvichapera zvachose. Vanhu vachatizira kumapako amatombo, nokumwena yapasi nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka achizungunutsa nyika. Pazuva iro vanhu vacharasira kumakonzo nokuzviremwaremwa, zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvegoridhe, zvavakaita kuti vazvinamate. Vachatizira kumapako amatombo nokumikaha yakarembera, nokuda kwokutya Jehovha, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka kuti azungunutse nyika. Regai kuvimba nomunhu, anongova nokufema mumhino dzake. Anobatsireiko? Tarirai zvino, Ishe Jehovha Wamasimba Ose ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo, kubva kuJerusarema neJudha; rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura, mhare nomurwi, mutongi nomuprofita, muvuki nomukuru, mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa, muchinda nomurume wemhizha, nomuvuki anoziva. Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo; vana vadiki ndivo vachavatonga. Vanhu vachadzvinyirirana, munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani. Vadiki vachamukira vakuru, nounozvidza achamukira anokudzwa. Murume achabata mumwe wavanun'una vake paimba yababa vake achiti, “Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu; iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!” Asi pazuva iro achadanidzira achiti, “Handigoni kugadzirisa zvinhu. Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu; musandiita mutungamiri wavanhu.” Jerusarema rozungunuka, Judha riri kuwa; mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya. Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira; vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu; havambochivanzi. Vane nhamo! Vanouyisa njodzi pamusoro pavo. Udzai vakarurama kuti zvichavanakira, nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo. Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira! Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo. Vadiki vanomanikidza vanhu vangu, vakadzi vanovatonga. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai; vanokubvisai munzira. Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga; anosimuka kuti atonge vanhu. Jehovha anopinda mukutonga vakuru navatungamiri vavanhu vake achiti, “Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa; zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu. Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu, nokukuya zviso zvavarombo?” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose. Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, nokufamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo. Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni; Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.” Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, nezvishongo zvomutsipa. zvinon'aima, nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuwira, namazango, nemhete, noukomba hwemhino, nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama, nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri. Pachinzvimbo chezvinonhuwira, pachava nokunhuwa; pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo; pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka, pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga; pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa. Varume venyu vachafa nomunondo, varwi venyu vachafa muhondo. Masuo eZioni achaungudza nokuchema; nokutambura kwavo, achagara pasi. Pazuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe vachiti, “Tichadya zvokudya zvedu nokuzvitsvakira zvokufuka; Tinongoda kudanwa nezita rako bedzi. Bvisa kunyadziswa kwedu!” Pazuva iro, davi raJehovha richava rakanaka uye richabwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava chidadiso nokukudzwa kwavakapunyuka muIsraeri. Vaya vakasara muZioni, navakasara muJerusarema, vachanzi vatsvene, navose vakanyorwa pakati pavapenyu muJerusarema. Jehovha achashambidza tsvina yevakadzi veZioni; achanatsa makwapa eropa kubva muJerusarema nomweya wokutonga uye mweya womoto. Ipapo Jehovha achasika pamusoro pegomo rose reZioni napamusoro pavose vanoungana ikoko gore routsi masikati nezhenje romoto unopfuta usiku; pamusoro pokubwinya kwose pachava nechidzitiro. Chichava chifukidzo nomumvuri kubva pakupisa kwezuva, noutiziro, nenzvimbo yokuvanda kubva padutu nemvura inonaya. Ndichaimbira mudiwa wangu rwiyo pamusoro pomunda wake wemizambiringa: Mudiwa wangu akanga ane munda wake wemizambiringa, pachikomo chakaorera. Akautimbira akabvisa mabwe akasimamo mazambiringa akaisvonaka. Akavaka shongwe mukati mawo uye akauchererawo chisviniro chewaini. Ipapo akatarisa kuti awane zvibereko zvamazambiringa akanaka, asi iwo wakangobereka muchero wakaipa chete. “Zvino imi vagari vomuJerusarema nemi varume veJudha, chitongai pakati pangu nomunda wemizambiringa wangu. Chiiko chimwezve chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Pandakatsvaka mazambiringa akanaka, wakagoberekerei akaipa oga? Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, iwo ugoparadzwa; ndichaputsa rusvingo rwawo, uye uchatsikwatsikwa. Ndichauita nzvimbo yamarara, hauzochekererwi kana kusakurirwa, uye minzwa norukato zvichakuramo. Ndicharayira makore kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.” Munda womuzambiringa waJehovha Wamasimba Ose ndiwo imba yaIsraeri, uye varume veJudha ndivo bindu rake rinomufadza. Zvino akatarisira kururamisira asi akaona kuteuka kweropa; akatsvaka kururuma, asi akanzwa kuchema kwokutambudzika. Mune nhamo imi munowedzera dzimba nedzimba uye munobatanidza munda nomunda, kusvikira pasisina nzvimbo yasara uye mugogara moga munyika. Jehovha Wamasimba Ose akataura ndichinzwa akati, “Zvirokwazvo dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru dzakanaka dzichashaya vanogaramo. Maeka gumi omunda wemizambiringa achabereka bhati rimwe chetea rewaini, uye homerib rembeu richabereka efac imwe chete rezviyo.” Vane nhamo avo vanomuka mangwanani kuti vatsvake doro rinodhaka, vanogara kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa newaini. Vanenge vane rudimbwa, nemitengeranwa pamabiko avo, namatambureni, nenyere newaini, asi havana hanya namabasa aJehovha, havana rukudzo nebasa ramaoko ake. Naizvozvo vanhu vangu vachapinda muutapwa, nokuda kwokushayiwa zivo; vanokudzwa vavo vachafa nenzara, uye vazhinji vavo vachafa nenyota. Naizvozvo gehena rakawedzera kukara kwaro, uye rakazarura muromo waro zvinodarika mwero; mariri muchaburukira vanokudzwa vavo nevoruzhinji, navose vanokakavara vavo navanofara vavo. Naizvozvo munhuwo zvake achadzikiswa, marudzi avanhu achaninipiswa, nameso avanozvikudza achaninipiswa. Asi Jehovha Wamasimba Ose achakudzwa, nokuda kwokururamisira kwake, uye Mwari, mutsvene achazviratidza pachake kuti mutsvene, mukururama kwake. Ipapo makwai achafura saari mumafuro awo; makwayana achadya pakati pamatongo avapfumi. Vane nhamo avo vanokweva chivi nerwodzi rwokunyengera, uye zvakaipa sezvinenge mabote engoro, kuna vanoti, “Mwari ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake kuti tirione. Ngarisvike, urongwa hwoMutsvene waIsraeri ngahuuye, kuti tihuzive.” Vane nhamo avo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima, vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava. Vane nhamo avo vanoti vakachenjera pameso avo, uye vakangwara pakuona kwavo. Vane nhamo avo vanova mhare pakunwa waini, uye shasha pakuvhenganisa zvokunwa zvinodhaka, vanopembedza ane mhosva nokuda kwefufuro, asi vanoramba kururamisira vasina mhosva. Naizvozvo, samarimi omoto anonanzva mashanga, uye souswa hwakaoma hunomedzwa nemirazvo yemoto, naizvozvo midzi yavo ichaora uye maruva avo achapepereswa seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha Wamasimba Ose, uye vakazvidza shoko roMutsvene waIsraeri. Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwopfuta pamusoro pavanhu vake; ruoko rwake rwasimudzwa uye anovarovera pasi. Makomo anozungunuka, uye mitumbi yavakafa yaita samarara mumigwagwa. Kunyange zvakadaro nokuda kwezvose izvi, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake rwaramba rwakasimudzwa. Anosimudzira ndudzi dziri kure mureza, anoridzira muridzo kuna avo vari kumigumo yenyika. Havo vouya, nokukurumidza uye nokuchimbidzika! Hapana kana mumwe wavo anoneta kana kugumburwa, hapana kana mumwe wavo achakotsira kana kuvata; hapana kana bhanire richasunungurwa pachiuno, hapana kana rukanda rweshangu rwakadambuka. Miseve yavo inopinza, uta hwavo hwose hwakakungwa; mahwanda amabhiza avo anenge omusarasara, mavhiri engoro dzavo akaita sechamupupuri. Kuomba kwavo kwakaita sokweshumba, vanoomba kufanana neshumba diki; vanodzvova pavanobata mhuka yavo vagoitakura pasina kana angairwira. Pazuva iro vachaomba pamusoro payo, sokutinhirwa kwegungwa. Uye kana mumwe akatarisa panyika, achaona rima nokutambudzika; kunyange chiedza chichasvibiswa namakore. Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi. Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka. Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.” Nomutinhiro wamanzwi adzo, nheyo dzezvikumbaridzo zvakazungunuka uye temberi yakazadzwa noutsi. Ipapo ndakachema ndichiti, “Ndine nhamo! Ndaparara! Nokuti ndiri munhu ane miromo ine tsvina uye ndigere pakati pavanhu vane miromo ine tsvina uye meso angu aona Mambo, Jehovha Wamasimba Ose.” Ipapo imwe yesarafimi yakabhururukira kwandiri ine zimbe romoto muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato kubva paaritari. Yakagunzva muromo wangu nawo ikati, “Tarira, zimbe iri ragunzva miromo yako; mhosva yako yabviswa uye chivi chako chadzikinurwa.” Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, “Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?” Ini ndakati, “Ndiri pano! Nditumei!” Iye akati, “Enda undoudza vanhu ava uti, “ ‘Munogara muchinzwa, asi hamumbonzwisisi; munogara muchiona, asi hamuonesesi.’ Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare; ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise uye vatsinzine meso avo. Nokuti vangaona nameso avo, nokunzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakadzoka vakaporeswa.” Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe, kusvikira riniko?” iye akapindura achiti, “Kusvikira maguta ava matongo uye pasisina anogaramo, kusvikira dzimba dzasiyiwa dzisina vanhu, neminda yaparadzwa zvachose, kusvikira Jehovha adzingira vanhu kure, uye nyika yasiyiwa zvachose. Uye kunyange kukasara chegumi munyika, naichowo chichaparadzwa. Asi somuterabhiniti nomuouki zvichasara zvava zvigutsa pazvinotemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ruchavawo sechigutsa munyika.” Zvino Ahazi mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, paakanga ari mambo weJudha, Mambo Rezini weAramu naPeka mwanakomana waRamaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema, asi havana kugona kurikunda. Zvino imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti, “Aramu yabatana neEfuremu;” saka mwoyo waAhazi nemwoyo yavanhu vake yakazungunuswa, sokuzungunuswa kunoitwa miti yesango nemhepo. Ipapo Jehovha akati kuna Isaya, “Buda, iwe nomwanakomana wako Sheari-Jashubhi, unosangana naAhazi kumucheto womugero weDziva Rokumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki. Uti kwaari, ‘Chenjera, dzikama hako, uye usatya. Usaora mwoyo nokuda kwamatsiga maviri ehuni, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaRezini naAramu uye nekwomwanakomana waRemaria. Aramu naEfuremu nomwanakomana waRemaria vakarangana kukuparadza vachiti, “Handei tindorwa neJudha; ngatiribvarurei tigorigovana pakati pedu, tigogadza Tabheeri kuti ave mambo pamusoro paro.” Asi zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Izvi hazvingamiri, hazvingaitiki, nokuti musoro weAramu iDhamasiko, uye musoro weDhamasiko iRezini bedzi. Makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa zvokusazova rudzizve. Musoro weEfuremu iSamaria, uye musoro weSamaria mwanakomana waRamaria bedzi. Kana usingamiri zvakasimba mukutenda kwako, hauchazomiri zvachose.’ ” Jehovha akataurazve kuna Ahazi akati, “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.” Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.” Ipapo Isaya akati, “Inzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi! Hazvina kuringana here kuedza mwoyo murefu wavanhu? Ko, imi muchaedzawo mwoyo murefu waMwari wangu here? Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri. Iye achadya ruomba nouchi paachaziva zvakakwana kuti arambe zvakaipa achisarudza zvakarurama. Asi mwana asati anyatsoziva kuramba zvakaipa nokusarudza zvakanaka, nyika yamadzimambo maviri aunotya ichava dongo. Jehovha achauyisa pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro peimba yababa vako nguva isina kumbovapo kubva nguva iya yaakazvipatsanura kubva kuna Judha, achauyisa mambo weAsiria.” Pazuva iroro Jehovha acharidzira muridzo kunhunzi dzichibva kuhova dziri kure dzeIjipiti nokunyuchi dzichibva kunyika yeAsiria. Dzichauya dzose dzigogara mumawere emipata nomumikaha yamatombo, nomumakwenzi ose eminzwa uye napamadziva ose. Pazuva iro Jehovha achashandisa chisvo chakakumbirwa kubva mhiri kwoRwizi, kuna mambo weAsiria, kuti avevure misoro yenyu nemvere dzomumakumbo enyu, uye kuti abvisewo ndebvu dzenyu. Pazuva iro, murume achapfuwa mhou duku imwe chete nembudzi mbiri. Uye nokuda kwokuwanda kwomukaka wadzinopa, achadya ruomba. Vose vachasara munyika vachadya ruomba nouchi. Pazuva iro munzvimbo imwe neimwe maimbova nemizambiringa inokwana chiuru yaitengwa namashekeri anokwana chiurua esirivha, pachazova norukato neminzwa chete. Varume vachaendako neuta nemiseve, nokuti nyika ichange yafukidzwa norukato neminzwa. Kana ari makomo ose aichimbosakurirwa nebadza, hakuna achada kuendako nokuda kwokutya rukato neminzwa; dzichava nzvimbo dzokusundira mombe nokunomhanyirwa namakwai. Jehovha akati kwandiri, “Tora hwendefa huru unyore pamusoro payo nechinyoreso: pamusoro paMaheri-Sharari-Hashi-Bhazi. Ndichadana Uriya muprista naZekaria mwanakomana waJebherekia sezvapupu zvakatendeka kwandiri.” Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, iye akatora pamuviri akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze kuti MaheriSharari-Hashi-Bhazi; nokuti mwana asati aziva kuti, ‘Baba vangu’ kana kuti, ‘Mai vangu,’ pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichatakurwa namambo weAsiria.” Jehovha akataurazve kwandiri akati, “Nokuti vanhu ava vakaramba mvura inoyerera zvinyoronyoro yeShiroa, uye vanofarira Rezini nomwanakomana waRemaria, naizvozvo Jehovha ava kuda kuuyisa pamusoro pavo mafashamu makuru oRwizi, mambo weAsiria nokukudzwa kwake kwose. Ruchapfachukira hova dzarwo dzose, uye rugopfachukira kumahombekombe arwo ose, ruchakukura kusvikira kuJudha, ruchipafuma nomukati mayo, rugopfuura nomairi ruchisvika muhuro. Kutandavara kwamapapiro arwo kuchafukidza upamhi hwenyika yako, iwe Imanueri!” Ridzai mhere yehondo, imi ndudzi, mugoputswaputswa! Teererai, imi nyika dzose dziri kure. Gadzirirai kurwa, mugoputswa-putswa! Gadzirirai urongwa hwenyu, asi huchakona; Taurai zvourongwa hwenyu, asi hauzomiri, nokuti Mwari anesu. Jehovha akataura kwandiri ruoko rwake rune simba rwuri pamusoro pangu, achindiyambira kuti ndirege kutevera nzira yavanhu ava, akati, “Musati irangano zvinhu zvose zvinonzi navanhu ava irangano; musatya zvavanotya, musazvivhunduka. Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene, ndiye wamunofanira kuvhunduka, ndiye achava nzvimbo tsvene; asi padzimba dzose dzaIsraeri achava dombo rinoita kuti vanhu vagumburwe; nedombo rinoita kuti vapunzike. Uye kuvanhu veJerusarema iye achava musungo norugombe. Vazhinji vavo vachagumburwa; vachawa vagovhunika, vachateyiwa vagobatwa.” Sungai chipupuriro mugosimbisa murayiro pakati pavadzidzi vangu. Ndichamirira Jehovha, iye ari kuvanzira imba yaJakobho chiso chake. Ndichaisa ruvimbo rwangu maari. Ndiri pano, navana vandakapiwa naJehovha. Tiri zviratidzo nemifananidzo muIsraeri inobva kuna Jehovha Wamasimba Ose paGomo reZioni. Kana vanhu vachiti kwamuri bvunzai masvikiro navavuki, vanozevezera nokunguruma, ko, vanhu havangabvunzi kuna Mwari wavo here? Munobvunzirei vakafa pamusoro pavapenyu? Endai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri maererano neshoko iri havana chiedza chamambakwedza. Vanotambudzika, navane nzara vachafamba-famba nenyika; pavanotambu-dzika vachava neshungu, uye vachatarira kudenga, vagotuka mambo wavo naMwari wavo. Ipapo vachatarira pasi vagoona nhamo chete nerima nokusafara kunotyisa, uye vachakandirwa kurima guru. Kunyange zvakadaro, hakuchazovizve, nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea ravaHedheni, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani. Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chakavavhenekera. Makakurisa rudzi mukawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu savanhu vanofara panguva yokukohwa, sokufara kwavarume, kana vachigoverana zvakapambwa. Nokuti sapamazuva okukundwa kwavaMidhia, vamakaparadzira joko raivaremera, nedanda raichinjika mafudzi avo, iyo tsvimbo yavamanikidzi vavo. Shangu imwe neimwe yomurwi yakashandiswa muhondo, nenguo imwe neimwe yakaumburudzwa muropa, zvichapiswa, zvichava huni dzomoto. Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana, uye umambo huchava pamapfudzi ake. Uye achanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare. Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake hazvizovi namagumo. Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi napamusoro poumambo hwake, achihusimbisa nokuhutsigira, nokururamisira uye nokururama, kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita. Jehovha akatuma shoko pamusoro paJakobho; richawira pamusoro paIsraeri. Vanhu vose vachariziva, Efuremu navagari vomuSamaria, ivo vanoti nokuzvikudza kwavo uye namanyawi emwoyo, “Zvidhinha zvakoromokera pasi, asi tichavakazve namatombo; mionde yatemerwa pasi, asi tichaitsiva nemisidhari.” Naizvozvo Jehovha akamutsira Rezini vadzivisi akakurudzira vavengi vavo. VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa. Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova, kana kutsvaka Jehovha Wamasimba Ose. Naizvozvo Jehovha achadimura vaIsraeri vose musoro nomuswe, zvose davi romuchindwe norutsanga pazuva rimwe; vakuru navarume vanokudzwa ndivo musoro, vaprofita vanodzidzisa nhema ndivo muswe. Vanotungamirira vanhu ava vanovatsausa, navose vanotungamirirwa vanotsauswa. Naizvozvo Jehovha haachazofariri majaya, kana kuva netsitsi nenherera nechirikadzi, nokuti mumwe nomumwe wavo haana umwari uye akaipa, muromo mumwe nomumwe unotaura zvoupenzi. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa. Zvirokwazvo zvakaipa zvinopfuta somoto; unopisa rukato neminzwa, unopisa matenhere edondo zvokuti unokwira kudenga mushongwe youtsi. Kubudikidza nokutsamwa kwaJehovha Wamasimba Ose nyika ichapiswa kwazvo uye vanhu vachava huni dzomoto; hapana achaponesa hama yake. Kurudyi vachadya asi vacharamba vane nzara; kuruboshwe, vachadya asi havangaguti. Mumwe nomumwe achadya nyama yomwana wake. Manase achadya Efuremu uye Efuremu achadya Manase; pamwe chete vachamukira Judha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa. Vane nhamo vanodzika mitemo isina kururama, neavo vanopa mitemo inodzvinyirira, kuti vadzivise varombo kodzero dzavo uye vadzivise kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa vavanhu vangu, vachipamba chirikadzi uye vachibira nherera. Muchaita sei pazuva rokutongwa, njodzi painouya ichibva kure? Muchatizira kuna aniko kuti mubatsirwe? Upfumi hwenyu muchahusiyepiko? Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa, kana kuwira pakati pavakaurayiwa. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa. “Une nhamo iwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu, iye akabata tsvimbo yehasha dzangu mumaoko ake! Ndiri kumutuma kurudzi rusina Mwari, ndinomutuma kuvanhu vanonditsamwisa, kundokomba nokutora nokubvuta zvakapambwa, nokuvatsikirira pasi sedope riri mumigwagwa. Asi izvi handizvo zvaanoda, izvi handizvo zvaanga achifunga; vavariro yake ndeyokuparadza, kupedza chose marudzi mazhinji. Iye anoti, ‘Ko, machinda angu haazi madzimambo ose here? Karino harina kuita sezvakaita Karikemishi here? Ko, Hamati harina kufanana neAripadhi, uye Samaria harina kufanana neDhamasiko here? Ruoko rwangu sezvarwasvikira umambo hwezvifananidzo, umambo hune zvifananidzo zvakakunda zveJerusarema neSamaria, ko, handichaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvayo here?’ ” Kana Ishe achinge apedza basa rake rose pamusoro peGomo reZioni neJerusarema, achazoti, “Ndicharanga mambo weAsiria nokuda kwokuzvikudza kwomwoyo wake namanyawi emeso ake. Nokuti iye anoti, “Nesimba ramaoko angu ndakaita izvi, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndinonzwisisa. Ndakabvisa miganhu yendudzi, ndikapamba pfuma yavo; semhare ndakakunda madzimambo avo. Sezvinoita munhu anosvasvavira mudendere, saizvozvo ruoko rwangu rwakananavira pfuma yamarudzi; savarume vanounganidza mazai akasiyiwa, saizvozvo ndakaunganidza nyika dzose; hakuna yakapfakanyisa bapiro, kana kushamisa muromo wayo kuti irire.” Ko, demo ringazvirumbidza kupfuura iye anoritemesa here? Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounorishandisa here? Zvinozoita sokunge tsvimbo inosimudza uyo anoitakura, kana mudonzvo kusimudza uyo asati ari huni! Naizvozvo, Ishe Jehovha Wamasimba Ose, achatumira denda rinoonza pamusoro pavarwi vakafuta; pasi pokubwinya kwake moto uchatungidzwa kufanana nemirazvo inopfuta. Chiedza chaIsraeri chichava moto, noMutsvene wavo murazvo womoto; muzuva rimwe chete uchapfuta ugopedza minzwa yake norukato rwake. Kubwinya kwamasango ake neminda yake yakaorera kuchaparadzwa chose, kufanana nomurwere anoramba achipera. Uye miti yakasara yamasango ake ichava mishoma kwazvo, zvokuti mwana angagona kuinyora pasi. Pazuva iro vakasara veIsraeri, vakapukunyuka veimba yaJakobho, havachazovimbi naye iye akavarova, asi zvirokwazvo vachavimba naJehovha, Mutsvene waIsraeri. Vakasara vachadzokera, vakasara vaJakobho, vachadzokera kuna Mwari Ane Simba. Kunyange vanhu vako, iwe Israeri, vakaita sejecha regungwa, vachasara chete ndivo vachadzokera. Kuparadzwa kwakatotemwa, kuzere nokururama. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose achapedzisa kuparadzwa kwakatemerwa nyika yose. Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose, “Haiwa, vanhu vangu vanogara muZioni, musatya vaAsiria, vanokurovai nomudonzvo nokukusimudzirai tsvimbo, sezvakaitwa neIjipiti. Nokuti nenguva duku duku kutsamwa kwangu pamusoro penyu kuchapera, uye hasha dzangu dzichanangana nokuparadzwa kwavo.” Jehovha Wamasimba Ose achavarova netyava, samarovero aakaita vaMidhia padombo reOrebhi, uye achasimudza tsvimbo yake pamusoro pemvura zhinji, sezvaakaita muIjipiti. Pazuva iro mitoro yavo ichabviswa pamapfudzi enyu, nejoko ravo pamitsipa yenyu; joko richavhuniwa, nokuti manyanya kufuta. Vanopinda muAyati; vopfuura nomuMigironi; vochengeta nhumbi paMikimashi. Vanopfuura napamupata, vagoti, “Tichadzika matende paGebha usiku.” Rama rinobvunda; Gibhea raSauro rinotiza. Ridza mhere, iwe mukunda weGarimi! Teerera, iwe Raisha! Newe Anatoti unonzwisa urombo! Madhimena riri kutiza; vanhu veGebhimi vanovanda. Zuva ranhasi vachamira paNobhi; vachakunga chibhakera chavo pagomo remwanasikana weZioni, pachikomo cheJerusarema. Tarirai Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, achatema matavi nesimba guru. Miti mirefurefu ichawiswa, uye yakareba ichadzikiswa. Achatema matenhere esango nedemo; Rebhanoni ichawa pamberi paIye Ane Simba. Bukira richabva kudzinde raJese; Davi rinobva pamidzi yake richabereka muchero. Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokunzwisisa mweya wamano nowesimba, mweya wokuziva nowokutya Jehovha, uye achafarira kutya Jehovha. Haazotongi nezvaanoona nameso ake, kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake, asi nokururama achatongera varombo, nokururamisira achatongera vanyoro vapanyika. Acharova nyika neshamhu yomuromo wake; Nokufema kwemiromo yake achauraya vakaipa. Kururuma ndiro richava bhanire rake uye kutendeka bhanire romuchiuno chake. Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, mhuru neshumba nezvakakodzwa zvichafura pamwe chete; uye mwana mudiki achazvitungamirira. Mhou ichafura nebere, vana vazvo vachavata pasi pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe. Mwana mucheche achatambira pedyo nomwena wemhakure, uye mwana mudiki achaisa ruoko rwake mumwena wenyoka. Hazvingazokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha semvura zhinji inofukidza gungwa. Pazuva iro Mudzi waJese uchamira somureza wamarudzi; ndudzi dzichamhanyira kwaari, uye nzvimbo yake yokuzorora ichabwinya. Pazuva iro Jehovha achatambanudza ruoko rwake kechipiri kuti adzorezve vakasara ivo vanhu vake vakasiyiwa kubva kuAsiria, kubva zasi kweIjipiti, nokubva kumusoro kweIjipiti nokubva kuEtiopia, nokubva kuEramu, nokubva kuBhabhironi, nokuHamati uye nokubva kuzviwi zvegungwa. Achasimudzira marudzi mureza uye achaunganidza vakadzingwa vaIsraeri; achaunganidza vakaparadzirwa vavanhu veJudha, kubva kumativi mana enyika. Godo raEfuremu richapera uye, vavengi vavaJudha vachagurwa; Efuremu haachazovi negodo naJudha, naJudha haangaitire Efuremu hasha. Asi vachawira pamusoro pamateru eFiristia kumavirazuva; pamwe chete vachapamba vanhu vokumabvazuva. Vachatora Edomu neMoabhu, uye vaAmoni vachava varanda vavo. Jehovha achaomesa chose chikamu chegungwa reIjipiti; nemhepo inopisa achatsvaira noruoko rwake pamusoro peRwizi rweYufuratesi. Acharukamura-kamura agoruita hova nomwe, kuitira kuti vanhu vagone kuyambuka vachienda mhiri vakapfeka shangu. Pachava nomugwagwa wavanhu vake vakasara, vakasiyiwa kubva kuAsiria, sezvazvakanga zviri kuvaIsraeri pavakabva kuIjipiti. Pazuva iro muchati, “Ndichakurumbidzai imi Jehovha, kunyange makanga makanditsamwira, kutsamwa kwenyu kwakadzorwa uye makandinyaradza. Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye uye handingatyi. Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu; ava ruponeso rwangu.” Nomufaro muchachera mvura kubva mumatsime oruponeso. Pazuva iro muchati, “Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi, uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe. Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; izvi ngazvizivikanwe pasi pose. Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni, nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.” Shoko rakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peBhabhironi: Simudzai mireza pamusoro pechikomo chisina miti, danidzirai kwavari; muninire kwavari kuti vapinde pamasuo amakurukota. Ndakarayira vatsvene vangu; ndakadana varwi vangu kuti vazadzise kutsamwa kwangu, avo vanofadzwa nokukunda kwangu. Inzwai, kutinhira pamusoro pamakomo, kwakafanana nokwavanhu vazhinji zhinji! Inzwai, mheremhere pakati poumambo, sendudzi dziri kuungana pamwe chete! Jehovha Wamasimba Ose ari kugadzirira mauto kundorwa. Vanobva kunyika dziri kure, kubva kumagumo amatenga, Jehovha nezvombo zvokutsamwa kwake, kuti aparadze nyika yose. Ungudzai, nokuti zuva raJehovha rava pedyo; richauya nokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose. Naizvozvo maoko ose achashaya simba, mwoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyunguduka. Kutya kuchavabata, kurwadziwa nokugomera zvichavabata, vachamonyoroka somukadzi ari kusununguka. Vachatarisana vachishamisika mumwe nomumwe wavo, zviso zvavo zvichipfuta. Tarirai zuva raJehovha riri kuuya, zuva rakaipisisa, rine hasha nokutsamwa kunotyisa, kuti nyika ive dongo uye nokuzoparadza vatadzi vari mukati mayo. Nyeredzi dzokudenga namapoka adzo hadzizoratidzi chiedza chadzo. Zuva rinobuda richasvibiswa uye mwedzi hauzopi chiedza chawo. Ndicharanga nyika nokuda kwokuipa kwayo, navakaipa nokuda kwezvivi zvavo. Ndichagumisa vanozvikudza pakudada kwavo, uye ndichaderedza kuzvikudza kwavasina tsitsi. Ndichaita kuti munhu ashayikwe kudarika goridhe, ashayikwe kudarika kushayikwa kwegoridhe reOfiri. Naizvozvo ndichabvundisa matenga; uye nyika ichazungunuka kubva panzvimbo yayo, nehasha dzaJehovha Wamasimba Ose, pazuva rokutsamwa kwake kunopisa. Semhara inovhimwa, samakwai asina mufudzi, mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vokwake, mumwe nomumwe achatizira kunyika yake. Mumwe nomumwe achabatwa achabayiwa, vose vanobatwa vachaurayiwa nomunondo. Vacheche vavo vacharoverwa pasi vagobvamburwa-bvamburwa vachizviona; dzimba dzavo dzichapambwa uye vakadzi vavo vachachinyiwa. Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia vasina hanya nesirivha, uye vasingafariri goridhe. Uta hwavo huchabaya majaya; havazovi nengoni navacheche kana kutarira vana netsitsi. Zvino Bhabhironi rembiri paumambo, kubwinya kwokuzvikudza kwavaBhabhironi, richaparadzwa naMwari kufanana neSodhomu neGomora. Haringatongogarwizve navanhu hakuna vakatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; hapana muArabhu achadzika tende rake ikoko, hakuna mufudzi achazorodza makwai ake ikoko. Asi zvisikwa zvomugwenga ndizvo zvichagara ikoko, makava achazadza dzimba dzavo; mazizi achagara ikoko, uye imomo ngururu dzichakwakuka-kwakuka. Mapere achachema ari munhare dzavo, makava mudzimba dzavo dzinoyevedza dzamadzimambo. Nguva yake yaswedera, uye mazuva aro haazowedzerwi. Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi; achasarudza Israeri zvakare uye achavagarisa munyika yavo. Vatorwa vachabatana navo vachanamatirana neimba yaJakobho. Ndudzi dzichavatora dzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo. Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzi kuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha. Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo, uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo. Pazuva ramuchapiwa rusununguko naJehovha kubva pakutambudzika, nokusagadzikana, nokubatwa noutsinye, uchasveeredza mambo weBhabhironi uchiti: Haiwa, mumanikidzi apera sei! Haiwa, hasha dzake dzapera sei! Jehovha akavhuna tsvimbo yavakaipa netsvimbo yamadzimambo, yaakarova nayo marudzi mukutsamwa nokurova kusingaperi, uye akakunda ndudzi nehasha nokurwisa kusingaperi. Nyika dzose dzazorora uye dzava norugare; votanga kufara nokuimba. Kunyange nemiti yemisipuresi nemisidhari yokuRebhanoni inofara pamusoro pako ichiti, “Zvino zvawaparadzwa, hakuna varume vanotsvaka huni vachauya kuzotitema.” Pasi, iro guva razungunuka kuti rinangane newe pakuuya kwako; riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai, vose vakaenda vari vatungamiri munyika; rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe, vose vakanga vari madzimambo endudzi. Vose vachapindura, vachati kwauri, “Newewo hauchisina simba, sesu; wangofanana nesu.” Kuzvikudza kwako kwose kwaderedzwa kusvika muguva, pamwe chete nokurira kworudimbwa rwako; honye dzawarirwa pasi pako uye makonye anokufukidza. Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga, iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza! Wakakandwa panyika, iyewe wakambowisira ndudzi pasi! Wakati mumwoyo mako, “Ndichakwira kudenga; ndichasimudzira chigaro changu choushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano, pamusoro pegomo dzvene. Ndichakwira pamusorosoro pamakore; ndichazviita soWokumusoro-soro.” Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzikadzika kwegomba. Vose vanokuona vanokunan'anidza, vachafungisisa zvamagumo ako vachiti, “Ndiye here murume uya akazungunutsa nyika, akadederesa ushe, murume akaita kuti nyika ive gwenga, akaparadza maguta ayo, akasatendera vasungwa vake kudzokera kumusha?” Madzimambo ose endudzi ave mukukudzwa, mumwe nomumwe muguva rake. Asi iwe warasirwa kunze kweguva rako, kufanana nedavi rakaraswa; wakafukidzwa navakaurayiwa, naavo vakabayiwa nomunondo, avo vakadzika kumatombo egomba. Kufanana nechitunha chinotsikwa-tsikwa netsoka, hauzobatani navo pakuvigwa kwako, nokuti wakaparadza nyika yako ukauraya vanhu vako. Vana vowakaipa havazotaurwi nezvavozve. Gadzirirai nzvimbo yokuurayira vanakomana vake nokuda kwezvivi zvamadzitateguru avo; havazosimuki kuti vagare nhaka yenyika vagozadza nyika namaguta avo “Ndichavamukira ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndichabvisa zita rake navakasara vake kubva kuBhabhironi, vana vake navana vavana vake,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaishandura kuti ive nzvimbo yamazizi nenyika yamachawi; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Jehovha Wamasimba Ose akapika, achiti, “Zvirokwazo sezvandakafunga ndizvo zvichaitika, uye sezvandakarangarira ndizvo zvichaitika. Ndichapwanya muAsiria munyika yangu; ndichamutsikirira pasi pamusoro pegomo rangu. Joko rake richabviswa kubva pavanhu vangu, nomutoro wake wokubva pamabvudzi avo.” Iyi ndiyo pfungwa yakarongerwa nyika yose; urwu ndirwo ruoko rwakatambanudzirwa pamusoro pamarudzi ose. Nokuti Jehovha Wamasimba Ose akazvironga zvino ndianiko angamukonesa? Ruoko rwake rwakatambanudzwa ndianiko angarudzora? Shoko iri rakauya mugore rakafa Mambo Ahazi richiti: Musafara imi mose vaFiristia, muchiti shamhu yakakurovai imi, yavhunika; nokuti kubva pamudzi wenyoka iyo pachabuda mvumbi, chibereko chayo chichava nyoka ino uturu hunobaya. Murombo wavarombo achawana mafaro, uye vanoshayiwa vacharara pasi murugare. Asi ndichaparadza mudzi wako nenzara; ichauraya vakasara vako. Ungudza iwe suo! Chema, iwe guta! Nyungudukai, imi vaFiristia mose! Gore routsi riri kuuya richibva kumusoro, uye hapana achatiza pasimba raro. Ko, imhinduroi ichapiwa kunhume dzorudzi urwo? “Jehovha akasimbisa Zioni, uye mariri vanhu vake vanotambudzika vachawana pokuvanda.” Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu: Ari romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku! Kiri romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku! Dhibhoni rakwira kutemberi yaro, kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema; Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha. Misoro yose yaveurwa ndebvu dzose dzabviswa. Munzira dzomuguta vakapfeka masaga: pamusoro pamatenga edzimba uye nomumatare, vanoungudza vose, vakazvambarara vachichema. Heshibhoni neErieri dzinodanidzira, manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi. Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira, uye mwoyo yavo yaziya. Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu; vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari, kusvikira kuEgirati-Sherishiya. Vanokwidza nenzira yokuRuhiti, vanofamba vachichema, munzira yokuHoranaimi vanochema kuparadzwa kwavo. Mvura yokuNimirimi yakapwa uye uswa hwaoma; bumhudza rapera uye hapachina chakasvibirira chakasara. Saka pfuma yavakawana neyavakaunganidza vanoiyambutsira mhiri kworukova rwemikonachando. Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu; kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi, kurira kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi. Mvura yapaDhimoni yakazara neropa, asi ndichauyisazve zvakawanda pamusoro peDhimoni, shumba pamusoro pavatizi veMoabhu uye napamusoro pavaya vakasara munyika. Tumirai mutero wamakawana kumubati wenyika, kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje, kugomo roMwanasikana weZioni. Kufanana neshiri yadzungaira ichisundidzirwa kubva mudendere, ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu pamazambuko eAmoni. “Tipeiwo zano, ruramisirai. Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku, pamasikati makuru. Viga vatizi, usapandukira vapoteri. Rega vatizi veMoabhu vagare newe, iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.” Mutambudzi achasvika kumagumo, uye kuparadza kuchapera; mudenhi achatsakatika panyika. Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa; mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi, uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira, uye achikurumidza kuita zvakarurama. Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu, namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake, kuzvikudza kwake nokuvirima kwake, asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo. Naizvozvo vaMoabhu voungudza, vanoungudzira Moabhu pamwe chete. Chemai musuwe nokuda kwavarume veKiri Hareseti. Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vamarudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yambosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa. Saka ndinochema, sokuchema kweJezeri, nokuda kwemizambiringa yeSibhima. Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare, ndichakudiridza nemisodzi! Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyararidzwa. Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa; hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa; hapana anosvina waini pazvisviniro, nokuti ndagumisa ruzha rwacho. Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira, ura hwangu hunorira pamusoro peKiri Haraseti. Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira, anenge achingozvinetsa pachake; paanoenda kuimba yake kunonyengetera, zvinenge zvisina chazvinobatsira, Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu. Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapukunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.” Chirevo pamusoro peDhamasiko: “Tarirai, Dhamasiko harichazovazve guta, asi richava murwi wamatongo. Maguta eAroeri achasiyiwa uye achava mafuro ezvipfuyo, izvo zvichavata pasi, pasina anozvivhundusa. Maguta akakomberedzwa namasvingo achanyangarika achibva pana Efuremu, uye simba roushe kubva paDhamasiko; vakasara veAramu vachava sembiri yavaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Pazuva iro mbiri yaJakobho ichaumbuka; mafuta omuviri wake achapera. Zvichafanana nomukohwi anounganidza tsanga pamadzinde akamira, uyo anokohwa zviyo noruoko rwake, sezvinoita murume anononga hura dzezviyo muMupata weRefaimi. Kunyange zvakadaro dzimwe tsanga dzichasara, sezvinoita muorivi kana wazunzwa, uchisiya maorivi maviri kana matatu pamatavi okumusoro-soro, mana kana mashanu pamatavi makuru anobereka,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari waIsraeri. Pazuva iro vanhu vachatarira kuMusiki wavo, vagodzorera meso avo kuMutsvene waIsraeri. Havachazotarisi kuaritari, iro basa ramaoko avo, uye havachazovi nehanya nematanda aAshera nearitari dzezvinonhuwira dzakaitwa neminwe yavo. Pazuva iro maguta avo akasimba avakasiya nokuda kwavaIsraeri, achafanana nenzvimbo dzakaregerwa kuti dzive matenhere nezvinomera pasi pavo. Uye ose achava matongo. Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira Dombo, iyo nhare yako. Naizvozvo, kunyange ukazvisimira miti yakanakisisa, uye ukadyara mizambiringa inobva kune dzimwe nyika, kunyange pazuva raunoisima, ugoita kuti ikure, ugoita kuti ive namaruva, asi mukohwo uchava sapasina pazuva rehosha nokurwadziwa kusingarapiki. Haiwa, kutinhira kwendudzi zhinji, dzinotinhira sokutinhira kwegungwa! Haiwa, kuomba kwamarudzi anoomba kufanana nokutinhira kwemvura zhinji! Kunyange vanhu vakaomba sokutinhira kwamafungu emvura, paanovatuka vachatizira kure, vachidzingirirwa nemhepo sehundi pamusoro pezvikomo, kufanana nouswa hunozungunuswa pamberi pedutu guru. Munguva yamadekwana, pachava nokutyisa! Kusati kwaedza, havachipo! Uyu ndiwo mugove wavaya vanotibira, nomubayiro wavanotipamba. Ine nhamo nyika yokutinhira kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia, inotuma nhume nenzira yomugungwa, muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura. Endai, imi nhume dzinokurumidza, kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera, kuvanhu vanotyiwa kure napedyo, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rune nyika yakakamurwa nenzizi. Imi mose muri pasi pose, imi munogara panyika, kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo, muchauona, uye kana hwamanda yarira, muchainzwa. Zvanzi naJehovha kwandiri, “Ndicharamba ndinyerere uye ndichatarira ndiri paugaro hwangu, samanyirinyiri omushana unopisa, segore redova mukupisa kwokukohwa.” Nokuti, kukohwa kusati kwasvika, kana kutungira kwamaruva kwaguma, uye ruva rova muzambiringa woibva, achagura mabukira namapanga okurangura, agotemera pasi nokurasira kure matavi akatandavara. Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango; shiri dzichazvidya chirimo chose, uye zvikara zvesango zvichazvidya muchando chose. Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose, zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera, kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi, zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose. Chirevo pamusoro peIjipiti: Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya, uye ari kuuya kuIjipiti. Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake, uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo. “Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita, munun'una acharwa nomukoma, muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye, guta richarwisana nerimwe guta, umambo hucharwisana nohumwe umambo. VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina; vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa, nokumasvikiro navavuki. Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose. Mvura yomurwizi ichapwa, uye mahombekombe erwizi achapwa nokuoma. Migero ichanhuhwa; hova dzeIjipiti dzichaderera uye dzichapwa. Shanga nenhokwe dzichauna, uyewo zvinomera zvichitevedza Nairi, pamuromo werwizi. Minda yose yakadyarwa mujinga meNairi ichaoma, mbesa dzichapepereswa nemhepo, hazvingazovapozve. Vabati vehove vachagomera nokurira, vose vanokanda zviredzo muna Nairi; vaya vanokanda mimbure pamusoro pemvura vacharukutika. Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba, varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro. Vanobata nemicheka vachaora mwoyo, uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo. Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi; makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano. Mungareva sei kuna Faro, kuti, “Ndini mumwe wavakachenjera, mudzidzi wamadzimambo akare?” Zvino vakachenjera venyu varipiko? Ngavakuratidzei uye vakuzivisei zvakafungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro peIjipiti. Machinda eZoani ava mapenzi, vatungamiri veMemufisi vanyengerwa; mabwe ekona amarudzi avo atsausa Ijipiti. Jehovha akadururira mavari mweya wedzungu; vanoita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvainoita, sezvinoita chidhakwa chinodzedzereka mumarutsi acho. Hapana chingaitwa neIjipiti, musoro kana muswe, davi romuchindwe kana rushanga. Pazuva iro, vaIjipita vachafanana navakadzi. Vachadedera nokutya panosimudzwa ruoko rwaJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo. Uye nyika yeJudha ichava chinhu chinotyisa kuvaIjipita; mumwe nomumwe achanzwa nezvaJudha achatya, nokuda kwezvinofungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo. Pazuva iro, maguta mashanu omuIjipita achataura mutauro weKenani uye vachapikira vachazvipira kuna Jehovha Wamasimba Ose. Rimwe racho richanzi Guta roKuparadza. Pazuva iro, pachava nearitari kuna Jehovha mukati chaimo meIjipiti, nembiru kuna Jehovha pamuganhu wayo. Ichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha Wamasimba Ose munyika yeIjipiti. Pavanodanidzira kuna Jehovha nokuda kwavamanikidzi vavo, achavatumira muponesi nomurwiri, ipapo achavanunura. Saka Jehovha achazvizivisa kuvaIjipita, uye pazuva iro vachaziva Jehovha. Vachanamata nezvibayiro uye nezvipiriso zvezviyo; vachaita mhiko kuna Jehovha nokudzichengeta. Jehovha acharova Ijipiti nehosha; acharova nokuvarapazve. Vachatendeukira kuna Jehovha, uye achapindura mikumbiro yavo nokuvarapa. Pazuva iro, pachava nenzira huru ichabva kuIjipiti ichienda kuAsiria. VaAsiria vachaenda kuIjipiti uye vaIjipita vachaendawo kuAsiria. VaIjipita navaAsiria vachanamata pamwe chete. Pazuva iro Israeri ichava yechitatu, ichitevera Ijipiti neAsiria, ichava ropafadzo panyika. Jehovha Wamasimba Ose achavaropafadza achiti, “Ngavaropafadzwe vaIjipita vanhu vangu, navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsraeri, nhaka yangu.” Mugore rokusvika kwomutungamiri mukuru, kuAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akairwisa uye akaitapa, panguva iyoyo Jehovha akataura kubudikidza naIsaya mwanakomana waAmozi. Akati kwaari, “Bvisa nguo yesaga pamuviri wako neshangu mumakumbo mako.” Iye akaita saizvozvo, akafamba asina nguo uye asina shangu. Ipapo Jehovha akati, “Sezvakaita Isaya muranda wangu akafamba asina nguo, uye asina shangu kwamakore matatu, sechiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neEtiopia, saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti, navakadzingwa veEtiopia, vadiki navakuru, uye magaro ari panze, kuti chive chinyadzo kuIjipiti. Avo vaivimba neEtiopia uye vaizvikudza neIjipiti vachatya uye vachanyadziswa. Pazuva iro, vanhu vaigara pamhenderekedzo ino vachati, ‘Tarirai zvaitika kuna vaya vataivimba navo, vaya vataitizira kwavari kuti vatibatsire uye vatinunure kubva kuna mambo weAsiria! Zvino isu tichapunyuka sei?’ ” Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa: Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi, mupambi anouya achibva kurenje, kubva kunyika inotyisa. Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza. Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba Eramu, rwisa! Medhia, vandira! Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo. Naizvozvo chiuno changu chakazara nokurwadziwa; marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka; ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa, ndakanganisika nezvandinoona. Mwoyo wangu woziya, kutya kwondidederesa; rubvunzavaeni rwandaishuva rwava chinyangadzo kwandiri. Vanogadzira matafura, vanowaridza micheka pasi, vanodya, vanonwa! Simukai, imi machinda, zadzai nhoo! Zvanzi naIshe kwandiri, “Endai, mundogadza nharirire uye muite kuti azivise zvaanoona. Kana achiona ngoro namapoka amabhiza, navatasvi vari pamusoro pembongoro kana vatasvi vari pamusoro pengamera, ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.” Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti, “Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro penharire; usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu. Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro neboka ramabhiza. Uye anopa mhinduro achiti, ‘Bhabhironi rawa, rawa! Zvifananidzo zvose zvavamwari varo zvaputsirwa pasi!’ ” Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro, ndinokuudzai zvandanzwa kuna Jehovha Wamasimba Ose, kuna Mwari waIsraeri. Chirevo pamusoro peDhuma: Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti, “Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku? Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?” Nharirire inopindura ichiti, “Mambakwedza achauya, asi nousikuwo. Zvino kana uchida kubvunza, bvunza; uye ugodzokazve.” Chirevo pamusoro peArabhia: Imi ngoro dzavaDhedhani, munodzika misasa mumatenhere eArabhia, vigirai vane nyota mvura; imi munogara muTema, uyai nezvokudya zvavanotiza. Vari kutiza munondo, kubva kumunondo wavhomorwa, nokuuta hwawemburwa, uye nokupisa kwehondo. Zvanzi naJehovha kwandiri, “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera. Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma.” Jehovha, Mwari weIsraeri ataura. Chirevo pamusoro poMupata weChiratidzo: Chii chinokutambudzai zvino, zvokuti mose makwira pamusoro pamatenga edzimba? Haiwa guta rizere nemheremhere, haiwa guta renyonganyonga nokupembera? Vakaurayiwa venyu havana kubayiwa nomunondo, kana kufira muhondo. Vatungamiri vako vose vatiza pamwe chete; vabatwa pasina kushandiswa uta. Mose imi makabatwa mukaitwa vasungwa pamwe chete, kunyange makanga matiza muvengi achiri kure. Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni; regai ndicheme kwazvo. Musaedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.” Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, ane zuva renyonganyonga nerokutsikira pasi nokutyisa muMupata woKuratidza, zuva rokukoromorera masvingo pasi nerokudanidzira kumakomo. Eramu anotora goba, pamwe chete navatasvi vamabhiza nengoro; Kiri anofudugura nhoo. Mipata yako yakaisvonaka yakazara nengoro, uye vatasvi vamabhiza vakaiswa pamasuo eguta; kudzivirirwa kweJudha kwakabviswa. Uye pazuva iro makatarira, kuzvombo muMuzinda weSango; makaona kuti Guta raDhavhidhi raiva napakakoromoka pakawanda munzvimbo dzokudzivirira; makazvichengetera mvura muDziva reZasi. Makaverenga dzimba muJerusarema, mukaondomora dzimba kuti musimbise rusvingo. Makavaka gungwa pakati pamasvingo maviri, kuti muchingidzire mvura yomudziva rakare, asi hamuna kutarira kuna Iye akariita, kana kuva nehanya naIye akazvironga kare. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, akakudaidzai pazuva iro kuti mucheme uye muungudze, kuti mudzure bvudzi renyu uye mufuge masaga. Asi tarirai, kune mufaro nokupembera, kubayiwa kwemombe nokuurayiwa kwamakwai, kudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini! munoti, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa!” Jehovha Wamasimba Ose akazivisa izvi munzeve dzangu achiti, “Kusvikira pazuva rokufa kwako, chivi ichi hachizokanganwirwi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose. Zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose, “Enda, undoti kumutariri uyu, kuna Shebhina, mutariri womuzinda, uti kwaari: Uri kuitei pano uye ndiani akakupa mvumo yokuti uzvicherere rinda pano, uchizvivezera rinda rako pakakwirira nokuzvivezera nzvimbo yako yokuzorora mudombo? “Hokoyo, Jehovha ava kuda kukuti dzvi, agokurasira kure, iwe murume wesimba. Achakupomba-pomba sebhora agokukanda munyika yakakura. Ndimo mauchafira, uye ngoro dzako dzine mbiri dzichasara imomo, iwe wokunyadzisa imba yatenzi wako! Ndichakudzinga pabasa rako, uye uchatandaniswa panzvimbo yako. “Pazuva iro ndichadana muranda wangu, Eriakimi mwanakomana waHirikia. Ndichamupfekedza nguo yako ndigomusimbisa nebhanire rako uye ndigoisa masimba ako pamusoro pake. Achava baba kuna vagere muJerusarema nokuimba yaJudha. Ndichaisa papfudzi rake kiyi yeimba yaDhavhidhi; chaanenge azarura hapana angapfiga, uye chaanenge apfiga hapana angazarura. Ndichamuroverera sembambo panzvimbo yakasimba; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake. Mbiri yeimba yababa vake ichaturikwa paari; matavi namabukira, nemidziyo midiki yose, kubva pamikombe kusvikira pamakate ose. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “mbambo yakarovererwa panzvimbo yakasimba ichabva; ichatemwa igowisirwa pasi, uye mutoro wakarembera pauri uchatemerwa pasi.” Jehovha ataura izvozvo. Chirevo pamusoro peTire: Ungudzai imi zvikepe zveTashishi! Nokuti Tire raparadzwa uye rasiyiwa risina imba kana pangamira zvikepe. Shoko rakasvika kwavari richibva kunyika yeSaipurasi. Nyararai, imi vanhu vagere pachiwi nemi vatengesi veSidhoni, imi makapfumiswa navashambadzi vomunyanza. Pamusoro pemvura zhinji zviyo zveShihori zvakayambutswa; mukoho weNairi ndiwo waiva pfuma yeTire, uye ikazova nzvimbo yokutengesera yamarudzi. Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa, nokuti gungwa rataura richiti, “Handina kumborwadziwa kana kubereka; handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.” Panosvika shoko kuIjipiti, vacharwadziwa pamusoro peshoko rinobva kuTire. Yambukirai kuTashishi; ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi. Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here, guta rakare kare, rakaendeswa kure kure netsoka dzaro kundogara kunyika iri kure? Ndianiko akarongera Tire izvozvi, iro raipa korona, vatengesi varo vari machinda, vashambadziri varo vanokudzwa munyika? Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo, kuti adzikise kuzvikudza nembiri yose, uye kuti aninipise vose vanokudzwa panyika. Rima nyika yako sezvinoitwa mujinga meNairi, iwe mwanasikana weTashishi, nokuti hauchina panomira zvikepe. Jehovha akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye akaita kuti ushe hwaro hudedere. Iye akapa murayiro pamusoro peKenani, kuti nhare dzayo dziparadzwe. Iye akati, “Mafaro ako haachazovapozve, iwe mhandara yeSidhoni, yaparadzwa! Simuka uyambukire kuSaipurasi; Kunyange naikoko haundowani zororo.” Tarira nyika yavaBhabhironi, rudzi urwo haruchaverengwi zvino! VaAsiria vakaiita nzvimbo yemhuka dzerenje; vakamisa shongwe dzavo dzokurwa, vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina, uye vakarishandura rikava dongo. Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi; nhare yenyu yaparadzwa! Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti: “Tora rudimbwa, ufambe nomuguta, iwe chifeve chakakanganikwa; ridza rudimbwa zvakanaka, imba nziyo zhinji, kuitira kuti ugorangarirwa.” Panopera makore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire. Richadzoerazve kubasa raro sechifeve rigofeva noushe hwose huri pamusoro penyika. Asi zvarakashambadzira uye nomubayiro waro zvichatsaurirwa Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa. Zvarakashambadzira zvichaendeswa kuna avo vanogara pamberi paJehovha, kuti vave nezvokudya zvakawanda nenhumbi dzakanaka. Tarirai, Jehovha ari kuzoparadza nyika achiiparadza zvachose; achanyangadza kutarisika kwayo uye achaparadzira vanogaramo, zvichangofanana, zvinoitirwa muprista nezvinoitirwa vanhu, zvinoitirwa vatenzi nezvinoitirwa muranda, zvinoitirwa vahosi nezvinoitirwa mushandiri, zvinoitirwa mutengesi nezvinoitirwa mutengi, zvinoitirwa anokwereta nezvinoitirwa akweretwa, zvinoitirwa anoripa mhindu nezvinoitirwa anoreva mhindu. Nyika ichaparadzwa zvachose uye ichatorerwa zvayo zvose. Jehovha ataura shoko irori. Nyika iri kuoma uye iri kuunyana, pasi pose panorwadziwa uye panounyana, vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa. Nyika inosvibiswa navanhu vayo; havana kuteerera mirayiro, vakapandukira mitemo uye vakaputsa sungano isingaperi. Naizvozvo kutuka kunoparadza nyika, vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo. Naizvozvo vagari vomunyika vopiswa, uye vashoma ndivo vasara. Waini itsva yapwa uye muzambiringa wauna; vose vanoda mafaro vogomera. Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa, kupembera kwavapururudzi kwapera, rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa. Havangazonwi waini vachiimba rwiyo; doro rava kuvava kuvanwi varo. Guta rakoromorwa rava dongo; mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa. Vochemera waini mumigwagwa; mufaro wose washanduka wava kusuwa, mupururu wabviswa panyika. Guta rasara rava dongo, masuo aro aputswa-putswa. Ndizvo zvazvichaita munyika napakati pendudzi, zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi, kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa. Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro; kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha. Naizvozvo kumabvazuva mberi kuna Jehovha; kudzai zita raJehovha Mwari waIsraeri, pazviwi zvegungwa. Kubva kumigumo yenyika tinonzwa kuimba kunoti: “Ngaakudzwe iye Akarurama.” Asi ini ndakati, “Ndarukutika, ndarukutika! Ndine nhamo! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera kukuru!” Kutya negomba zvakakumirirai, imi vanhu vapanyika. Ani naani anotiza kutinhira kunotyisa, achawira mugomba; ani naani anokwira achibuda mugomba achabatwa mumusungo. Nokuti mawindo okudenga azaruka, uye nheyo dzapanyika dzozungunuka. Nyika yaputswa-putswa, nyika yakamurwa napakati, nyika yozungunuswa chose. Nyika yodzedzereka sechidhakwa, inozengaira semba iri mumhepo; kudarika nokumukira kwayo kwairemera kwazvo, zvokuti inowa, ikasazomukazve. Pazuva iro Jehovha acharanga masimba omuchadenga kumusoro, uye namadzimambo ari pamusoro penyika pasi. Vachaunganidzwa pamwe chete kufanana navasungwa vakasungwa mugomba; vachapfigirwa mutorongo vagozorangwa kwamazuva mazhinji. Mwedzi uchanyadziswa, zuva richanyara; nokuti Jehovha Wamasimba Ose achatonga pamusoro peGomo reZioni nomuJerusarema, napamberi pavakuru varo, nokubwinya kukuru. Haiwa, Jehovha ndimi Mwari wangu; ndichakukudzai uye ndicharumbidza zita renyu, nokuti nokutendeka kukuru makaita zvinhu zvinoshamisa, zvinhu zvamakaronga kare kare. Makaita kuti guta rive dutu ramarara, guta rakakomberedzwa rikava dongo, nhare yavatorwa haichazova gutazve; haichazovakwazve. Naizvozvo vanhu vane simba vachakukudzai; maguta endudzi dzine utsinye achakuremekedzai. Manga muri utiziro hwavarombo, utiziro hwaanoshayiwa mukutambudzika kwake, uye dumba panguva yemvura zhinji nomumvuri pakupisa kwezuva. Nokuti kuremedzeka kwavano utsinye kwakafanana nemvura zhinji inorovera parusvingo, uye kwakafanana nokupisa kwerenje. Munonyaradza bope ravatorwa; sokupisa kunotonhodzwa nomumvuri wegore, naizvozvo rwiyo rwavane utsinye rwanyaradzwa. Pamusoro pegomo iri, Jehovha Wamasimba Ose achagadzirira vanhu vose mutambo wezvakakora, namabiko ewaini yakare, nyama yakanakisa uye newaini yakaisvonaka. Pamusoro pegomo iri, achaparadza chifukidziro chinoputira marudzi ose, mucheka unofukidza ndudzi dzose; iye achamedza rufu nokusingaperi. Wamasimba Ose achapisika misodzi kubva pazvose zvose; achabvisa kunyadziswa kwavanhu vake panyika yose. Jehovha ataura. Pazuva iro vachati, “Zvirokwazvo uyu ndiye Mwari wedu; takavimba naye, iye akatiponesa. Uyu ndiye Jehovha, takavimba naye; ngatifarei tifarisise muruponeso rwake.” Ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri, asi Moabhu achatsikwa-tsikwa pasi pake, samashanga anotsikwa-tsikwa mumupfudze. Vachatambanudza maoko avo mariri, somushambiri anotambanudza maoko ake kuti ashambire. Mwari achaderedza kuzvikudza kwavo, kunyange vachigona kuita zvakanaka namaoko avo, Achakoromora nhare yako yamasvingo akakwirira agoaputsira pasi; achaakoromorera pasi, muguruva chaimo, Pazuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa munyika yaJudha: Tine guta rakasimba; Mwari anoita kuti ruponeso ruve masvingo nenhare dzaro. Zarurai masuo kuti rudzi rwakarurama rupinde, rudzi runochengeta kutenda. Muchachengeta murugare rukuru munhu ano mwoyo wakasimba, nokuti anovimba nemi. Vimba naJehovha nokusingaperi, nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi. Anoderedza avo vagere pakakwirira, anodzikisa pasi guta rapamusoro; anorideredza kusvikira pavhu uye anorikanda muguruva. Tsoka dzicharitsikirira pasi, tsoka dzavakamanikidzwa, idzo tsoka dzavarombo. Nzira yavakarurama yakati chechetere; imi Akarurama, munoita kuti nzira yavakarurama iti chechetere. Hongu, Jehovha tichifamba munzira yomurayiro wenyu, tinokumirirai; zita renyu nembiri yenyu ndizvo chishuwo chemwoyo yedu. Mwoyo wangu unokushuvai pausiku; mangwanani, mweya wangu unokupangai. Kutonga kwenyu pakunouya panyika, vanhu vanogara panyika vanodzidza zvokururama. Kunyange nyasha dzichiratidzwa kuna vakaipa, ivo havadzidzi kururama; kunyange munyika yokururama, vanongoramba vachiita zvakaipa, uye havana hanya noukuru hwaJehovha. Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzirwa kumusoro, asi havaruoni. Ngavaone kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu venyu vagonyadziswa; moto wakachengeterwa vavengi venyu ngauvaparadze. Jehovha, imi munotigadzirira rugare; zvose zvatakakwanisa ndimi makatiitira. Haiwa Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akatitonga, asi zita renyu ndiro ratinokudza chete. Ivo vakafa zvino, havachararamizve; mweya yavakafa haimuki. Makavaranga mukavaparadza; makabvisa chirangaridzo chavo. Makakurisa rudzi, imi Jehovha; makakurisa rudzi. Makazviwanira mukurumbira; mukakurisa miganhu yose yenyika. Jehovha, vakauya kwamuri mumatambudziko avo; pamakavarova, havana kugona kuzevezera munyengetero. Sezvinoita mukadzi ane mimba oda kusununguka, anomonyoroka mukurwadziwa kwake, agokuchema kwazvo, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, imi Jehovha. Takanga tine mimba, tichimonyoroka mukurwadziwa, asi takabereka mhepo. Hatina kuvigira nyika ruponeso; hatina chatakaberekera vanhu venyika. Asi vakafa venyu vachararama; miviri yavo ichamuka. Imi mugere muguruva, mukai mupembere. Dova renyu rakaita sedova ramangwanani; nyika ichabudisa vakafa vayo. Chiendai, vanhu vangu, pindai mumakamuri enyu, mugopfiga mikova shure kwenyu; muvande kwechinguva kusvikira kutsamwa kwake kwapfuura. Tarirai, Jehovha ari kubuda muugaro hwake, kuti arange vanhu venyika nokuda kwezvivi zvavo. Nyika ichafukura ropa rakateurwa pamusoro payo; haichazovanzizve vakaurayiwa vayo. Pazuva iro, Jehovha acharanga nomunondo wake, iwo munondo wake mukuru une simba uye unotyisa, Revhiatani nyoka inokurumidza, Revhiatani nyoka inogonyana; achauraya chikara chomugungwa. Pazuva iro, “Imbai nezvomuzambiringa unobereka: Ini Jehovha ndini ndinouchengeta; ndinoramba ndichiudiridzira. Ndinourinda masikati nousiku kuitira kuti parege kuva neanoukanganisa. Handina kutsamwa Dai paingova nerukato neminzwa zvinorwa neni! Ndaienda kundorwa nazvo; ndaizvipisa zvose nomoto. Kana kuti ngazviuye zvizovanda kwandiri; ngazviyanane neni, hongu, ngazviyanane neni.” Mumazuva anouya, Jakobho achadzika midzi, Israeri achabukira uye achatunga maruva, agozadza nyika yose nomuchero, Ko, Jehovha akamurova here sezvaanorova avo vakamurova? Akaurayiwa here sokuurayiwa kwakaitwa avo vakamuuraya? Muhondo makarwa naye mukamudzinga, nokurwisa kwake kunotyisa akamudzinga, kufanana pazuva rinovhuvhuta mhepo yokumabvazuva. Zvino nenzira iyi, mhosva yaJakobho ichadzikinurwa, uye izvi zvichava chibereko chakazara chokubviswa kwechivi chake: Paanoita kuti aritari dzose dzifanane namabwe omunyaka akaputswaputswa, hapana matanda aAshera kana aritari dzezvinonhuwira zvichasiyiwa zvakamira. Guta rakakomberedzwa norusvingo rasiyiwa rava dongo, hwava ugaro hwakasiyiwa, kufanana nerenje; mhuru dzofura ikoko, uye ikoko ndiko kwadzinovata; dzinosiya matavi asisina chinhu. Panooma matavi acho, anovhuniwa, uye vakadzi vanouya vovesa moto nawo. Nokuti vanhu ava havana njere; nokudaro Muiti wavo haachina tsitsi pamusoro pavo, uye Musiki wavo haangavaitiri nyasha. Pazuva iro Jehovha achapura kubva panoyerera Yufuratesi kusvikira paRukova rweIjipiti, uye imi vaIsraeri, muchaunganidzwa muchiita mumwe mumwe. Uye pazuva iro hwamanda huru icharira. Vakanga vofira muAsiria uye navaya vakanga vatizira kuIjipiti vachauya kuzonamata Jehovha pamusoro pegomo dzvene riri muJerusarema. Ine nhamo korona yokuzvikudza, yezvidhakwa zveEfuremu, neruva rosvava pakubwinya kworunako rwaro, riri pamusoro pemipata yakaorera yaavo vakurirwa newaini! Tarira, Ishe ano mumwe ane simba uye anokurira. Sechimvuramabwe uye nedutu rinoparadza, sedutu remvura zhinji uye samafashamu emvura inonaya, achaiwisira pasi nesimba guru. Iya korona, yokuzvikudza yezvidhakwa zveEfuremu, ichatsikwa-tsikwa pasi petsoka. Ruva riya rosvava pakubwinya kworunako rwaro, riri pamusoro pomupata wakaorera, richafanana neonde raibva goho risati rasvika, munhu achingoriona, anoritanha noruoko rwake, obva aridya pakarepo. Pazuva iro Jehovha Wamasimba Ose achava korona inobwinya, chishongo chakanaka chavanhu vake vakasara. Iye achava mweya wokururamisira kuna iye anogara pakutonga, chitubu chesimba kuna avo vanodzosera shure vanorwa pasuo. Ivavawo vanodzedzereka newaini uye vanozengaira nedoro: Vaprista navaprofita vanodzedzereka nedoro, uye vanonyonganiswa newaini; vanozengaira nedoro, vanodzedzereka pavanoona zviratidzo, vanogumburwa pakutonga. Tafura dzose dzazara marutsi uye hapachina nzvimbo isina tsvina. “Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waanotsanangurira shoko? Kuvana vakarumurwa pamukaka, kuna avo vachangobva pazamu here? Nokuti zvinoti: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma.” Zvirokwazvo, Mwari achataura kurudzi urwu nemitauro yavatorwa, nendimi dzokumwe, kwavari akati, “Iyi ndiyo nzvimbo yokuzorora, vakaneta ngavazorore,” uye, “Iyi ndiyo nzvimbo yorunyararo,” asi havana kumboteerera. Saka zvino, shoko raJehovha kwavari richava: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma, kuitira kuti vaende vagondowa, vavhunike, vabatwe nomusungo vagotapwa. Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vaseki, imi vanotonga rudzi urwu muJerusarema. Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu, takatenderana neguva. Shamhu inokukura painouya, haizotibati, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, uye kunyengera takakuita nzvimbo yedu yokuvanda.” Saka zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Tarirai ndinoisa ibwe muZioni, ibwe rakaedzwa, ibwe rinokosha rapakona kuti rive nheyo yakasimba; anovimba naro haangavhunduki. Ndichaita kuti kururamisira kuve rwodzi rwokuera, uye kururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenyu, idzo nhema, uye mvura ichafukidza nzvimbo yenyu yokuvanda. Sungano yenyu norufu ichadzimwa; chitenderano chenyu neguva hachingamiri. Shamhu inokukura painouya, muchakundwa nayo. Nguva nenguva painouya ichakutakurai ichikuendesai kure; mangwanani achitevera mamwe mangwanani, panguva dzamasikati nenguva dzousiku, ichakukura.” Kunzwisisa shoko iri kuchauyisa kutya. Nokuti mubhedha uchava mupfupi pakutandavara, uye jira richava diki zvokuti munhu haangagoni kufukidzwa naro. Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita muMupata weGibheoni, kuti aite basa rake, iro basa risinganzwisisiki, uye azadzise basa rake, basa risinganzwisisiki. Zvino chiregai kudada kwenyu, nokuti ngetani dzenyu dzichanyanya kukuremerai; Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, andiudza pamusoro pokuparadzwa kwakatemwa pamusoro penyika yose. Teererai uye munzwe inzwi rangu; rerekai nzeve dzenyu munzwe zvandinoreva. Murimi paanorimira kuti agodyara, anoramba achingorima here? Ko, anoramba achingorima kana kuhara here? Paanoenzanisa munda wake kuti uti chechetere, haangadyari karawe uye agokusha kumini here? Haangadyari gorosi munzvimbo yaro, nebhari mumunda wayo, nesipereti mumunda wayo here? Nokuti Mwari wake anomurairidza nokumudzidzisa nzira yakanaka. Karawe haipurwi nechireyi, uye vhiri rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; karawe inopurwa nemhuro uye kumini inopurwa norumuti. Zviyo zvinofanira kukuyiwa kuti zviitiswe chingwa; saka munhu haafaniri kuramba achingopura nokusingaperi. Kunyange achifambisa mavhiri engoro yake yokupura pamusoro pazvo, mabhiza ake haazvikuyi. Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose, anoshamisa mukurayira uye mukuru kwazvo muuchenjeri. Une nhamo iwe Arieri, Arieri, guta raigara Dhavhidhi! Wedzera gore pagore; uye regai nguva dzemitambo yenyu dzirambe dziripo. Kunyange zvakadaro, ndichakomba Arieri; pachava nokuchema nokuungudza, Arieri richafanana nechoto chearitari kwandiri. Ndichakukomba kumativi ose; ndichakukomberedza neshongwe uye ndichavaka nhare dzokurwa newe. Uchadzikisirwa pasi, uchataura uri pasi; kutaura kwako kuchabva muguruva. Inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu; kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva. Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka, vane utsinye vachafanana nehundi inopepereswa. Pakarepo, nokukurumidza Jehovha Wamasimba Ose achauya nomutinhiro nokudengenyeka kwenyika, uye nemheremhere huru, nechamupupuri, nedutu guru uye nomurazvo womoto unoparadza zvose. Ipapo mhomho dzamarudzi ose anorwa neArieri, dzinorirwisa iro nenhare dzaro nokurikomba, zvichaita sokurota, nechiratidzo chinoonekwa usiku, sezvinoitwa nomunhu ane nzara anorota achidya, asi apepuka, anowana nzara yake ichiripo; sezvinoita munhu ane nyota anorota achinwa mvura, asi omuka achiziya, nyota yake isina kupera. Naizvozvo ndizvo zvichaitawo marudzi ose akawanda anorwa neGomo reZioni. Katyamarai uye mushamiswe, zvipofumadzei muve vasingaoni; dhakwai asi kwete newaini; dzedzerekai asi kwete nedoro. Jehovha akauyisa pamusoro penyu hope huru; Akafukidza meso enyu vaprofita; akafukidza misoro yenyu, vaoni. Nokuti kwamuri, chiratidzo ichi hachizi chinhu asi mashoko akanamirwa murugwaro. Uye kana mukapa rugwaro kuno mumwe munhu anogona kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handikwanisi, nokuti rwakanamirwa.” Kana kuti mukapa rugwaro kuno mumwe asingagoni kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handigoni kuverenga.” Ishe anoti: “Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemiromo yavo, uye vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo kwangova kwemitemo inodzidziswa navanhu chete. Naizvozvo ndichashamisa vanhu ava zvakare nechishamiso pamusoro pechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera huchaparadzwa, zivo yavane zivo ichapera.” Vane nhamo avo vanovanzira Jehovha mano avo pakadzikadzika, vanoita mabasa avo murima vachifunga mumwoyo yavo kuti, “Ndiani anotiona? Ndiani achaziva?” Munoshandura mamiriro ezvinhu, sezvinonzi muumbi wehari anonzi ndiye ivhu! Ko, chakaumbwa chingati kuna iye akachiumba, “Iye haana kundiita?” Ko, hari ingati kumuumbi, “Iye haana chanoziva?” Ko, Rebhanoni haingashandurwi ikava munda wakaorera muchinguva chidiki, uye munda wakaorera ugoita kunge dondo? Pazuva iro vanamati vachanzwa shoko rorugwaro, uye meso amapofu achaona ari pakasviba naparima. Zvakare vanozvininipisa vachafara muna Jehovha; vanoshayiwa vachafara muMutsvene waIsraeri. Vane utsinye vachaparadzwa, vaseki vachanyangarika, uye vose vane ziso rinofarira zvakaipa vachaurayiwa, avo vanopomera munhu mhosva neshoko chete, vanoisira musungo kuna anoruramisira mudare, uye nouchapupu hwenhema, vanokonesa kururamisirwa kwavasina mhosva. Naizvozvo izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, akadzikinura Abhurahama, achiti kuimba yaJakobho, “Jakobho haachazonyadziswizve; zviso zvavo hazvichazochenuruki. Pavachaona vana vavo pakati pavo, iro basa ramaoko angu, vachachengeta zita rangu muutsvene; vachaziva utsvene hwoMutsvene waJakobho, uye vachamira vachitya Mwari waIsraeri. Vakarasika pamweya vachawana njere; vanonyunyuta vachagamuchira kurayirwa.” “Vane nhamo vana vakasindimara,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuna avo vanoita urongwa husati huri hwangu, vanoita sungano, asi vasingaiti noMweya wangu, vachiunganidza chivi pamusoro pechivi; vanoenda kuIjipiti vasina kundibvunza; vanotsvaka rubatsiro rworudziviriro rwaFaro, vanotsvaka utiziro kumumvuri weIjipiti. Asi kudzivirira kwaFaro kuchava kunyadziswa kwenyu, mumvuri weIjipiti uchakuvigirai kunyadziswa, kunyange vaine machinda muZoani uye nhume dzavo dzasvika muHanesi, mumwe nomumwe wavo achanyadziswa nokuda kwavanhu vasina betsero kwavari, vasingavavigiri rubatsiro kana ruyamuro, asi kunyadziswa chete nokuzvidzwa.” Chirevo pamusoro pemhuka dzeNegevhi; nomunyika yenhamo namatambudziko, yeshumba neshumbakadzi, yemvumbi nenyoka dzine hasha uye dzinobhururuka, nhume dzinotakura pfuma yadzo pamusoro pembongoro, noupfumi hwadzo pamusoro penyundwa dzengamera, ndichihuendesa kurudzi rusingabatsiri, kuIjipiti kuno rubatsiro rusina maturo chose. Naizvozvo ndinomutumidza zita rokuti Rahabhi Simbe. Chienda iye zvino, unovanyorera pahwendefa izvozvo, uzvinyore murugwaro, kuti pamazuva anouya chigova chapupu nokusingaperi. Ava ndivo vanhu vakapanduka, vana vokunyengera, vana vasingadi kunzwa kurayira kwaJehovha. Vanoti kuvaoni, “Regai kuonazve zviratidzo!” nokuvaprofita, “Regai kutipazve zviratidzo zvezvakanaka! Tiudzei zvinhu zvinofadza, muprofite zvinonyengera. Siyai nzira iyi, ibvai mugwara iri, murege kuita kuti timisidzane noMutsvene waIsraeri!” Naizvozvo zvanzi noMutsvene waIsraeri, “Nokuti makaramba shoko rangu iri, mukasendamira pakumanikidza uye mukavimba nokunyengera, chivi ichi chichava kwamuri sorusvingo, rwakatsemuka nokufutunuka, runoondomoka pakarepo uye nokukurumidza. Ruchaputsika kuita zvimedu zvimedu sehari, yakaputswa noutsinye zvokuti pakati pezvimedu zvayo hapana kuwanikwa chaenga chakasara, chokugoka mazimbe omoto pachoto kana chokuchera nacho mvura kubva muchitubu.” Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri, “Mukutendeuka nezororo ndimo mune ruponeso rwenyu, murunyararo nomukuvimba ndimo mune simba renyu, asi imi makaramba chimwe chazvo. Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’ Naizvozvo muchatiza! Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’ Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo! Chiuru chimwe chete chichatiza nokuvhundutsa kwomumwe chete; imi mose muchatiza kuvhundutsa kwavashanu, kusvikira masara maita sedanda romureza riri pamusoro pegomo, kuita somureza pamusoro pechikomo.” Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha; anosimuka kuti akuratidzei tsitsi. Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira. Vakaropafadzwa vose vanomurindira! Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Iye achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai. Kunyange Ishe achikupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, vadzidzi venyu havachazovanzwizve; muchavaona nameso enyu pachenyu. Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.” Ipapo muchasvibisa zvifanananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!” Iye achakutumiraiwo mvura yokumeresa mbeu dzamunodyara muvhu, uye zvokudya zvichabva munyika zvichange zvakanyatsosvika uye zvakawanda kwazvo. Pazuva iro, nzombe dzenyu dzichafura mumafuro akafaranuka. Nzombe nembongoro dzinorima munda zvichadya mashanga noupfu, zvakaparadzirwa neforogo nefoshoro. Pazuva rokuuraya kukuru, panowira shongwe pasi, hova dzemvura dzichayerera pamusoro pamakomo ose akakwirira napamusoro pezvikomo zvakareba. Mwedzi uchapenya sezuva, uye zuva richapenya kakapetwa kanomwe, kufanana nechiedza chamazuva manomwe azere, Jehovha paanosunga mavanga avanhu vake nokurapa maronda aakavarova nawo. Tarirai, Zita raJehovha rasvika richibva kure, rine hasha dzinopfuta moto namakore noutsi akasviba kuti ndo-o; miromo yake yakazara nokutsamwa, uye rurimi rwake moto unoparadza. Kufema kwake kunofanana nokuyerera kwemvura ine simba zhinji, inokwira ichisvika mumutsipa. Anozungura ndudzi murusero rwokuparadza; anoisa mushaya dzavanhu matomu anovatsausa. Uye muchaimba sapausiku hwamunopemberera mutambo mutsvene; mwoyo yenyu ichafara sezvinoita vanhu vanokwira kugomo raJehovha, nokuDombo raIsraeri, vachiridza nyere. Jehovha achaita kuti vanhu vanzwe inzwi rake roumambo, uye achaita kuti vaone ruoko rwake ruchiburuka pasi, nehasha zhinji nomoto wokuparadza, nokuputika kwamakore, kunaya kwemvura zhinji nechimvuramabwe. Inzwi raJehovha richaparadza vaAsiria; achavarova netsvimbo yake. Shamhu yoga yoga yavacharohwa nayo naJehovha netsvimbo yake yokuranga, ichaenderana nerwiyo rwamakandira norudimbwa, paacharwa navo muhondo noruoko rwake. Tofeti yakanguri yagadzirira; yakagadzirirwa kare kugamuchira mambo. Gomba rayo romoto rakadzikiswa rikapamhamiswa, uye pane moto wakawanda nehuni zhinji; kufema kwaJehovha, sorukova runopfuta nesafuri, kuchazvitungidza. Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro, vanovimba namabhiza, vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza, asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri, kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha. Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa nhamo; haangadzosi mashoko ake. Iye achamukira imba yavakaipa, naavo vanobatsira vanoita zvakaipa. Asi vaIjipita vanhu uye havasi Mwari, mabhiza avo inyama uye haasi mweya. Zvino panotambanudza Jehovha ruoko rwake, uyo anobatsira achagumburwa, uyo achabatsirwa achawa; vose vachaparara pamwe chete. Zvanzi naJehovha kwandiri, “Sezvinoita shumba inoomba, seshumba huru pamusoro pechayabata, kunyange mhomho yose yavafudzi ikakokerwa pamwe chete kuzorwa neshumba iyi, iyo haingavhundutswi noruzha rwavo, kana kukanganiswa nemhere yavo, saizvozvo Jehovha Wamasimba Ose achaburukira pamusoro peGomo reZioni napazvikomo zvaro kuzorwa hondo. Seshiri dzinobhururuka pamusoro, Jehovha Wamasimba Ose achadzivirira Jerusarema; acharidzivirira nokurirwira, achadarika pamusoro paro uye acharisunungura.” Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vaIsraeri. Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa. “Asiria ichawisirwa pasi nomunondo usati uri womunhu; munondo, kwete wavanhu, uchavapedza. Vachatiza pamberi pomunondo uye majaya avo achaiswa kuchibharo. Nhare dzavo dzakasimba dzichawa nokuda kwokutya; vatungamiri vavo vachavhundutswa pavachaona mureza wehondo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, ane moto wake paZioni murazvo wake uri muJerusarema. Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira. Munhu mumwe nomumwe achafanana noutiziro kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota. Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera. Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva nokunzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika. Benzi harichazonzi munhu anokudzwa, munhu asina maturo haazoremekedzwi. Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinorasa vanhu pamusoro paJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota. Nzira dzousina mano dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho. Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa. Imi vakadzi munoti mugere zvakanaka, simukai muteerere kwandiri; imi vanasikana vasina hanya, inzwai zvandinoreva! Gore risati rapera muchabvunda iyemi munoti mugere zvakanaka; nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana, uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki. Dederai, imi vakadzi munoti mugere zvakanaka; hutai, iyemi vanasikana vasina hanya! Bvisai nguo dzenyu, monerai masaga muzviuno zvenyu. Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka, nokuda kwezvibereko zvemizambiringa, uye nokuda kwenyika yavanhu vangu, nyika yamera minzwa norukato, hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro, uye nokuda kweguta rinopururudza iri. Nhare dzichasiyiwa, guta roruzha richasara risina munhu; nhare neshongwe dzichava dongo nokusingaperi, mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo, kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, uye gwenga richizova nyika yakaorera, nomunda wakaorera uchizova sesango. Kururamisira kuchagara kugwenga uye kururama kuchagara kumunda wakaorera. Chibereko chokururama chichava rugare; uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi. Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare, mumisha yakachengetedzeka, munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama. Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango, uye guta rikaparadzwa zvachose, ucharopafadzwa zvakadiniko, uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose, uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka! Une nhamo iwe, muparadzi, iyewe usati wamboparadzwa! Une nhamo iwe, mupanduki, iyewe usati wambopandukirwa! Paunorega kuparadza, iwe uchaparadzwa; paunorega kupandukira, iwe uchapandukirwa. Haiwa Jehovha, tinzwirei tsitsi; tinokupangai imi. Ivai simba redu mangwanani oga oga, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika. Pakutinhira kwenzwi renyu, ndudzi dzinotiza; pamunosimuka, marudzi anopararira. Haiwa imi ndudzi, zvakapambwa zvenyu zvachekwa kunge zvachekwa nemhashu diki; vanhu vanomhanyira kwazviri segwatakwata remhashu. Jehovha asimudzirwa, iye anogara kumusoro; achazadza Zioni nokururamisira nokururama. Achava nheyo yechokwadi yenguva yenyu, nedura repfuma yoruponeso, uchenjeri nezivo; kiyi yepfuma iyi ndiko kutya Jehovha. Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira munzira dzomumisha; nhume dzorugare dzinochema zvikuru. Migwagwa mikuru yasiyiwa, vafambi havachisimo mumigwagwa. Sungano yaputswa, zvapupu zvayo zvazvidzwa, hapachina anoremekedzwa. Nyika inochema uye yoparara, Rebhanoni yanyadziswa uye yasvava; Sharoni yafanana neArabha, uye Bhashani neKarimeri dzakurumuka mashizha adzo. “Zvino ini ndichasimuka,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvino ini ndichakudzwa; zvino ini ndichasimudzirwa pamusoro. Munoita mimba yehundi, munobereka mashanga; kufema kwenyu ndiwo moto unokuparadzai. Marudzi achapiswa kunge suko; vacharirima kunge huni dzeminzwa dzakatemwa.” Imi vari kure, inzwai zvandakaita; imi vari pedyo, bvumai kuti ndine simba! Vatadzi vari muZioni vavhundutswa; vasina Mwari vodedera: “Ndianiko pakati pedu angagare nomoto unopisa nokusingaperi?” Iye anofamba nokururama uye anotaura zvakanaka, anoramba pfuma inobva pakumanikidza uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro, anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya, uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa, uyu ndiye munhu achagara pakakwirira, nhare dzegomo dzichava utiziro hwake. Zvokudya zvake achazvipiwa, uye haangashayiwi mvura. Meso ako achaona mambo pakunaka kwake; uye achatarira nyika yakakura kwazvo. Mundangariro dzako ucharangarira zvaimbokutyisa ugoti: “Aripiko muchinda mukuru uya? Aripiko uya aimbotora mutero? Aripiko muchinda aiva mutariri weshongwe?” Vanhu vaya vokuzvikudza hauchazovaonazve, ivo vanhu vomutauro wakavanzika, vorurimi rwavo, rusinganzwiki. Tarirai Zioni, iro guta remitambo yedu; meso enyu achaona Jerusarema, ugaro hworunyararo, tende risingazozungunuswi; mbambo dzaro hadzingadzurwi, kana mabote aro kudamburwa. Asi Jehovha achava Wamasimba Ose kwatiri. Richafanana nenzvimbo yenzizi dzakapamhamha uye nehova. Magwa anokwasviwa haangasvikiko, uye zvikepe zvikuru hazvingapfuuri. Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye anotipa murayiro, Jehovha ndiye mambo wedu; ndiye achatiponesa. Mabote ako ava dembutembu: Haagoni kusimbisa mbambo yechikepe, sairi harina kutambanudzwa. Ipapo zvakapambwa zvakawanda zvichagoverwa, uye kunyange chirema chichawanawo zvakapambwa. Hapana agere muZioni achati, “Ndinorwara,” uye zvivi zvavanogaramo zvicharegererwa. Swederai pedyo, imi marudzi avanhu, munzwe. Teererai, imi vanhu! Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi, pasi pose, nezvose zvinobudamo! Jehovha akatsamwira marudzi ose; hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose. Iye achavaparadza chose, achaita kuti vaurayiwe. Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze, mitumbi yavo ichanhuhwa; makomo achanyorova neropa ravo. Nyeredzi dzokudenga dzose dzichanyungudika, uye denga richapetwa sorugwaro; marudzi ose enyeredzi achawa samashizha akaoma abva pamuzambiringa, samaonde akasvava abva pamuonde. Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga; tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu, vanhu vandakaparadza chose. Munondo waJehovha wakanyura muropa, wakafukidzwa namafuta, iro ropa ramakwayana nerembudzi, namafuta anobva paitsvo dzamakondohwe. Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira uye nokuuraya kukuru muEdhomu. Nyati dzichawa pamwe navo nehono dzemhuru nehando huru. Nyika yavo ichanyorova neropa, uye guruva richazara mafuta. Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni. Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo, guruva rayo richapisa sesuriferi; nyika yayo ichava namo inopfuta! Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi. Richava dongo kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe; hapana munhu achazopfuura napozve. Asi zvichava zvezizi romugwenga nehukurwizi; zizi guru negunguo zvichaita matenderemo. Mwari achatambanudzira Edhomu rwodzi rwokuyera, rwenyonganiso nerwokuparadza. Makurukota ake haazovi nechinhu ikoko chingazonzi umambo, machinda ake ose achapera. Minzwa ichatandira nhare dzayo, utumbambeva norukato munzvimbo dzayo dzakakomberedzwa. Ichava ugaro hwamakava, nomusha wamazizi. Zvikara zvomugwenga zvichasangana namapere, uye ngururu dzichadaidzirana; zvikara zvousiku zvichazororapo, uye zvichazviwanira nzvimbo yokuzorora. Zizi richaita dendere rigokandira mazaipo, richaachochonyerapo, rigochengeta mazana aro pasi pomumvuri wamapapiro aro; makondo achaunganapo, rimwe nerimwe neshamwari yaro. Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava: Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa, kana chichashaya shamwari. Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo, uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete. Anozvigovera migove yazvo; ruoko rwake runozvigovera nechiyero. Zvichava zvazvo nokusingaperi uye zvichagaramo kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi. Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva, richatumbuka; richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, kunaka kweKarimeri neSharoni; vachaona kubwinya kwaJehovha, nokunaka kwaMwari wedu. Simbisai maoko asina simba, tsigirai mabvi anodedera; muti kuna avo vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya; Mwari wenyu achauya, achauya nokutsiva, nokuripira kutsvene achauya kuzokuponesai.” Ipapo meso amapofu achasvinudzwa uye nzeve dzematsi dzichazarurwa. Ipapo akaremara achakwakuka senondo, uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro. Mvura ichatubuka murenje, uye nehova dzemvura mugwenga. Jecha rinopisa richashanduka rikava dziva, ivhu rine nyota richava zvitubu zvemvura. Maigara makava noumo maaimbovata, muchamera uswa, netsanga nenhokwe. Ipapo pachava nomugwagwa; uchanzi Nzira yoUtsvene. Vane tsvina havangazofambi mairi; ichava yaivavo vanofamba muNzira iyoyo; vakaipa namapenzi havangazofambi mairi. Hapangavi neshumba ipapo, kana chikara chipi zvacho chichawanikwapo. Asi vakadzikinurwa voga ndivo vachafambamo, uye vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamusoro pavo. Vachawana mufaro nokufarisisa, kusuwa nokuneta zvichatiza. Mugore regumi namana rokutonga kwaMambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose akakomberedzwa aJudha akaapamba. Ipapo mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo yake nehondo huru achibva kuRakishi kuna Mambo Hezekia muJerusarema. Mukuru wehondo akati amira pamugero weDziva roKumusoro, pamugwagwa unoenda kuMunda woMusuki, ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, mufambisi webasa mumuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo, akabuda kundosangana naye. Mukuru wehondo akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti, ‘Zvanzi namambo mukuru, iye mambo weAsiria: Uri kuvimba nei chaizvo? Iwe unoti une urongwa nesimba rokurwa, asi uri kutaura mashoko asina maturo. Ko, unovimba naaniko, zvawandimukira? Tarira zvino, unovimba neIjipiti, ruya rushanga rwomudonzvo rwakavhunika, runobaya ruoko rwomunhu nokumupa vanga kana azendemira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye. Asi kana ukati kwandiri, “Isu tinovimba naJehovha Mwari wedu,” haasi iye here ane nzvimbo dzakakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, iye akati kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi”? Zvino chiuya, ita sungano natenzi wangu, mambo weAsiria: Ndichakupa mabhiza anokwana zviuru zviviri, kana ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo! Ungagona seiko kukunda mubati mumwe wavabati vadiki vatenzi vangu, kunyange uchivimba nengoro dzeIjipiti navatasvi vadzo vamabhiza? Pamusoro pezvo, ndauya kuzorwa nenyika ino nokuiparadza ndisina Jehovha here? Jehovha pachake andiudza kuti ndiuye munyika ino ndizoiparadza.’ ” Ipapo Eriakimu, naShebhina, naJoa vakati kumukuru wehondo, “Tapota hedu, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu, sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachinzwa.” Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wenyu nemi chete ndisingatauriwo kuvarume vagere parusvingo, ivo vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yavo kufanana nemi here?” Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira nechiHebheru achiti, “Inzwai mashoko amambo mukuru, mambo weAsiria! Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikunyengerai. Iye haangagoni kukurwirai! Musarega Hezekia achikunyengetedzai kuti muvimbe naJehovha achiti, ‘Jehovha achakurwirai zvirokwazvo; guta rino harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’ “Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake uye achanwa mvura inobva muchitubu chake, kusvikira ndauya ndizokutorai, ndigokuendesai kunyika yakaita seyenyu, nyika ine zviyo newaini itsva, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa. “Musarega Hezekia achikutsausai achiti, ‘Jehovha achatirwira.’ Ndimwari weipi nyika zvayo akamborwira nyika yake muruoko rwamambo weAsiria? Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi varipi? Vakarwira Samaria muruoko rwangu here? Ndavapi pakati pavamwari vendudzi dzose vakambogona kuponesa nyika dzavo kubva kwandiri? Ko, Jehovha achagona seiko kurwira Jerusarema muruoko rwangu?” Asi vanhu vakaramba vanyerere, vakasapindura chinhu, nokuti mambo akanga arayira achiti, “Musamupindura.” Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wehondo. Mambo Hezekia akati anzwa izvi, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha. Akatuma Eriakimu mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, navakuru vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi. Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva renhamo nokutukwa uye kunyadziswa, sezvinoitika kana vana vakasvika pakuzvarwa asi simba rokusununguka pasina. Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko omukuru wehondo, akatumwa naishe wake, mambo weAsiria, kuzomhura Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu. Naizvozvo nyengetererai vakasara vari vapenyu.” Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya, Isaya akati kwavari, “Udzai ishe wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya hako zvawakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria. Teererai! Ndichaisa mweya maari wokuti akangonzwa rimwe guhu, achadzokera kunyika yake, uye ikoko, ndichaita kuti aurayiwe nomunondo.’ ” Mukuru wehondo akati anzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuBhakishi, akadzoka akawana mambo achirwa neRibhina. Zvino Senakeribhi akagamuchira mashoko okuti Tirihaka, muEtiopia mambo weIjipiti, akanga achiuya kuzorwa naye. Akati anzwa izvozvo, akatuma nhume kuna mambo Hezekia neshoko iri rokuti: “Udzai Hezekia mambo weJudha muti: Mwari waunovimba naye ngaarege kukunyengera achiti, ‘Jerusarema harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’ Zvirokwazvo wakanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose vachidziparadza chose. Zvino iwe ucharwirwa here? Ko, vamwari vamamwe marudzi akaparadzwa namadzibaba angu vakavarwira here, vamwari veGezani, neHarani neRezefi navanhu vokuEdheni vakanga vari kuTeri Asari? Mambo weHamati aripiko, namambo weArifadhi namambo weguta reSefarivhaimi, kana Hena kana Ivha?” Hezekia akagamuchira tsamba kubva mumaoko enhume, akaiverenga. Ipapo akakwira kutemberi yaJehovha akaitambanudza pamberi paJehovha. Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mugere pakati pamakerubhimi, imi moga ndimi Mwari aripo pamusoro poumambo hwose hwenyika. Makasika denga nepasi. Rerekai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; zarurai meso enyu, Jehovha muone; teererai mashoko ose aSenakeribhi aakatuma kuzozvidza nawo Mwari mupenyu. “Ichokwadi, Jehovha, kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi dzose nenyika dzadzo. Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo akaitwa namaoko avanhu. Zvino, Jehovha Mwari wedu, tidzikinurei kubva muruoko rwake, kuitira kuti madzimambo ose enyika azive kuti imi moga, Jehovha, ndimi Mwari.” Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatumira shoko kuna Hezekia achiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Nokuda kwokuti wanyengetera kwandiri pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria, heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake: “Mhandara Mwanasikana weZioni anokuzvidza uye anokuseka. Mwanasikana weJerusarema anokudzungudzira musoro wake paunenge uchitiza. Ndianiko wawatuka uye ukamhura? Ndianiko wawasimudzira inzwi rako, uye ukasimudzira meso ako uchizvikudza? Ndiye Mutsvene waIsraeri! Navaranda vako watutira kutuka pamusoro paIshe. Uye wakati, ‘Nengoro dzangu zhinji ndakakwira makomo marefu, kumusoro-soro kweRebhanoni. Ndakatema misidhari yayo mirefu refu, nemisipuresi yayo yakanakisisa. Ndakasvika kumusorosoro kwayo, nokumasango ayo akanakisisa. Ndakachera matsime munyika yavamwe, ndikanwa mvura imomo. Netsoka dzangu ndakapwisa hova dzose dzeIjipiti.’ “Hauna kunzwa here? Izvi ndakazviita kare. Ndakazvironga pamazuva akare; zvino ndaita kuti zviitike, nokuti wakaparadza maguta akakomberedzwa akava mirwi yamatombo. Vanhu vawo, vapererwa nesimba, vavhundutswa nokunyadziswa. Vafanana nembeu mumunda, namabukira manyoro, sebundo ramera padenga remba, ratsva risati rakura. “Asi ndinoziva paunogara uye nguva yaunouya neyaunoenda uye kuti unondiitira hasha zvakadii. Nokuda kwehasha dzako kwandiri uye nokuda kwokuti kusateerera kwako kwasvika munzeve dzangu, ndichaisa chiredzo changu mumhuno dzako namatomu angu mumuromo mako, uye ndichaita kuti udzokere nenzira yawakauya nayo. “Ichi ndicho chichava chiratidzo kuvarwi, iwe Hezekia: “Gore rino muchadya zvinomera zvoga, uye mugore rinotevera muchadya mabukira azvo. Asi mugore rechitatu mudyare nokukohwa, mudyare minda yemizambiringa mugodya michero yayo. Zvakare, vakasara veimba yaJudha vachava nemidzi pasi uye vachabereka michero kumusoro. Nokuti muJerusarema muchabuda vachasara, uye muZioni muchabuda boka ravachapunyuka. Kushingaira kwaJehovha kuchazviita. “Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, “Haazopindi muguta iri kana kupfura museve pano. Haazosviki mberi kwaro nenhoo kana kuvaka gomo revhu pariri. Achadzokera nenzira yaakauya nayo; haazopindi muguta rino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa, nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu!” Ipapo mutumwa waJehovha akabuda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu pamusasa wavaAsiria. Vanhu vakati vachimuka mangwanani, onei mitumbi yavakafa! Naizvozvo Senakeribhi mambo weAsiria akaputsa musasa. Akadzokera kuNinevhe akandogara ikoko. Mumwe musi achinamata ari mutemberi yamwari wake Nisiroki, Adhiramereki naSharezeri, vanakomana vake vakamuuraya nomunondo, ndokutizira kunyika yeArarati. Mwanakomana waEsarihadhoni akamutevera paushe. Mumazuva iwayo Hezekia akarwara kusvikira oda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzirisa zveimba yako, nokuti uri kuzofa; hausi kuzopona.” Hezekia akatendeukira kumadziro akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Rangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba sei nokutendeka pamberi penyu nomwoyo wose nechokwadi uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo. Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Isaya richiti, “Enda undoti kuna Hezekia, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichawedzera makore gumi namashanu paupenyu hwako. Uye ndichakurwira iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiria. Ndicharwira guta rino. “ ‘Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvose zvaakavimbisa: Ndichaita kuti mumvuri waitwa pazuva udzokere shure nhambwe gumi pamutaro wawanga wafamba pamanera aAhazi.’ ” Saizvozvo zuva rakadzokera shure nhambwe gumi dzarakanga radzika. Chinyorwa chaHezekia mambo weJudha mushure mokurwara nokupora kwake: Ndakati, “Mazuva oupenyu hwangu achangotanga ndingafanira kupinda mumasuo orufu here? Ndigotorerwa makore angu asara here?” Ndakati, “Handichazoonizve Jehovha, iye Jehovha, munyika yavapenyu; handichazotarisizve kuvanhu kana kuva naavo vagere munyika ino zvino. Setende romufudzi, imba yangu yakoromorwa uye yatorwa. Somuruki ndapeta upenyu hwangu, uye iye andigura kubva pachirukiso; masikati namadekwana makaita kuti ndigume. Ndakamirira nomwoyo murefu kusvikira mambakwedza, asi iye akavhuna mapfupa angu ose kufanana nezvinoitwa neshumba; masikati namadekwana makaita kuti ndigume. Ndakarira senyenganyenga kana kondo. Ndakachema sokuchema kunoita njiva. Meso angu akaneta nokutarisa kudenga. Haiwa Jehovha, ndine nhamo uyai mundinunure!” Asi ndingati kudiniko? Iye ataura neni, uye iye ndiye aita izvi. Ndichafamba nokuzvininipisa pamakore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu. Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu zvakadai; uye mweya wangu unowana upenyu mazviriwo. Makandiporesa mukandiraramisa. Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukuru kwakandivigira rugare. Murudo rwenyu makandirwira pagomba rokuparadzwa; makaisa zvivi zvangu zvose shure kwenyu, Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai, rufu harugoni kukurumbidzai nenziyo; vanodzika kugomba havangagoni kutarisira kutendeka kwenyu. Vapenyu, ivo vapenyu, ndivo vanokurumbidzai, sezvandiri kuita iye nhasi; madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu. Jehovha achandiponesa, uye tichaimba nemitengeranwa, mazuva ose oupenyu hwedu mutemberi yaJehovha. Zvino Isaya akanga ati, “Gadzirai bundu ramaonde mugoriisa pamota, uye achapora.” Hezekia akanga abvunza achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti ndiende kutemberi yaJehovha?” Panguva iyoyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira matsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara nokupora kwake. Hezekia akagamuchira nhume nomufaro akavaratidza zvakanga zviri mumatura ake: sirivha, goridhe, zvinonhuwira namafuta anokosha nenhumbi dzake dzose dzokurwa uye nezvose zvaiwanikwa papfuma yake. Hapana chinhu mumuzinda wake kana muumambo hwake chavasina kuratidzwa naHezekia. Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akabvunza achiti, “Varume avo vakati kudini, uye vakabvepi?” Hezekia akapindura achiti, “Vakabva kunyika iri kure. Vakauya kwandiri vachibva kuBhabhironi.” Muprofita akamubvunza achiti, “Vakaoneiko mumuzinda menyu?” Hezekia akati, “Vakaona zvose zviri mumuzinda mangu. Pakati pepfuma yangu hapana chandisina kuvaratidza.” Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Inzwa shoko raJehovha Wamasimba Ose: Zvirokwazvo nguva ichauya iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira nhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha. Uye vamwe vavana vako, venyama neropa rako chairo vauchabereka, vachatorwa uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.” Hezekia akapindura achiti, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafunga kuti, “Pachava norugare nokudzivirirwa pamazuva oupenyu hwangu.” Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Mwari wenyu. Taurai nounyoro kuJerusarema, mudanidzire kwariri kuti kubata kwaro kukuru kwapera, uye kuti chivi charo charipirwa, kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro. Inzwi rounodanidzira achiti, “Gadzirai nzira yaJehovha mugwenga, ruramisai mugwagwa waMwari wedu murenje. Mipata yose ichasimudzirwa, makomo ose nezvikomo zvichaenzaniswa; nzvimbo dzisakaenzana dzichava bani. Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, uye marudzi ose avanhu achazviona. Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.” Inzwi rinoti, “Danidzirai.” Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?” “Vanhu vose vakaita souswa, uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda. Uswa hunooma uye maruva anowa, nokuti mweya waJehovha unofuridzira pamusoro pazvo. Zvirokwazvo vanhu uswa. Uswa hunooma uye maruva anowa, asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.” Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka, kwirai pagomo refu. Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, danidzirai nesimba, musatya; muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!” Tarirai, Ishe Jehovha ari kuuya nesimba, uye ruoko rwake runomubatira ushe. Tarirai, mubayiro wake anawo, uye zvaanoripira nazvo anazvo. Anofudza makwai ake somufudzi: Anounganidza makwayana mumaoko ake agoatakurira pedyo nomwoyo wake; zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa. Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza chake, kana kuyera denga noupamhi hwechanza chake? Ndianiko akaisa guruva rose rapasi mudengu, kana kuyera kurema kwamakomo nechiyero, nezvikomo pachiyero? Ndiani akanzwisisa murangariro waJehovha, kana kumudzidzisa somudzidzisi wake? Ndiani akabvunzwa naJehovha kuti amujekesere, uye ndiani akamudzidzisa nzira yakanaka? Ndianiko akamudzidzisa ruzivo kana kumuratidza nzira yokunzwisisa? Zvirokwazvo ndudzi dzavanhu dzakaita sedonhwe remvura riri muchirongo; vanongova seguruva riri pamusoro pechiyero; anoyera zviwi kunge guruva rakatsetseka. Rebhanoni harina huni dzinoringana kuvesa moto wearitari, uye zvipfuwo zvaro hazvikwani kuita chipiriso chinopiswa. Marudzi ose akaita sapasina chinhu pamberi pake; iye anoaona seasina maturo, kunge asipo. Zvino, mungafananidza Mwari naaniko? Ndoupi mufananidzo wamungamuenzanisa nawo? Kana chiri chifananidzo, muumbi anochiumba, mupfuri wegoridhe ochinamira negoridhe, uye anochiitira uketani hwesirivha. Murombo anoshayiwa chipo anosarudza danda risingaori. Anotsvaka mhizha kuti imuvezere chifananidzo chisingazozungunuki. Hamuzivi here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kumbozviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuvamba kwenyika here? Anogara samambo pamusoro pedenderedzwa renyika, uye vanhu vayo vakaita semhashu. Anotambanudza matenga setende, agoawaridzira setende kuti agaremo. Anoita kuti machinda ave pasina, uye anoderedza vabati venyika ino kuti vave pasina. Vachangosimwa, vachangodyarwa, vachangodzika midzi muvhu, iye anofuridza pamusoro pavo vachibva vaoma, uye chamupupuri chinovakukura sehundi. “Mungandienzanisa naaniko? kana kuti ndiani akaenzana neni?” ndizvo zvinotaura Iye Mutsvene. Simudzai meso enyu mutarire kumatenga. Ndianiko akasika zvose izvi? Iye anobudisa nyeredzi imwe imwe, achidzidana imwe neimwe nezita rayo. Nokuda kwesimba rake guru uye noukuru hwesimba rake, hapana kana imwe zvayo inoshayikwa. Unoreveiko, iwe Jakobho, unogunun'una chii, iwe Israeri uchiti, “Nzira yangu haizivikanwi naJehovha; Mwari wangu haana hanya nezvandinorwira?” Hauzivi here? Hauna kunzwa here? Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi, Musiki wamagumo enyika. Haaneti kana kuziya, uye hakuna angayera kunzwisisa kwake. Anopa simba kuna vakarukutika, uye anowedzera simba kuna vasina simba. Kunyange majaya anoneta uye anorukutika, uye majaya anogumburwa agowa; asi avo vane tariro muna Jehovha vachavandudza simba ravo. Vachabhururuka namapapiro samakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi. “Nyararai pamberi pangu, imi zviwi! Ndudzi ngadzivandudze simba radzo! Ngadziswedere mberi dzitaure; ngatisanganei pamwe chete panzvimbo inotongerwa mhaka. “Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva, akamudana nokururama kuushumiri hwake? Anopa marudzi kwaari, uye anoisa madzimambo pasi pake. Anovashandura vagova guruva nomunondo wake, vagova hundi inopepereswa nemhepo, nouta hwake. Anovadzinganisa agopfuurira mberi asina vanga, nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake kare. Ndiani akabata basa iri akaripedza, akadana marudzi kubva pakutanga? Ini, Jehovha, naiye wokutanga wavo newokupedzisira, ndini iye.” Zviwi zvakazviona zvikatya; magumo enyika anodedera. Vanoswedera uye vagouya mberi; mumwe nomumwe anobatsira wokwake, achiti kuhama yake, “Simba!” Mhizha inokurudzira mupfuri wegoridhe, naiye anotsetsenura nenyundo anokurudzira uyo anorova panhera. Anoti kune chakanamwa nomoto, “Ichi chakanaka.” Anoroverera chifananidzo pasi nechipikiri kuti chisazungunuka. “Asi iwe, Israeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasarudza, imi vana vaAbhurahama, shamwari yangu, ndakakutora kubva kumagumo enyika, ndikakudana kubva kumakona ayo ari kure. Ndakati kwauri, ‘Uri muranda wangu,’ ndakakusarudza uye handina kukuramba. Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama. “Vose vanokutsamwira zvirokwazvo vachanyadziswa uye vachanyara; vose vanokakavadzana newe vachava sechinhu chisipo uye vachaparara. Kunyange ukatsvaka vavengi vako, hauzovawani. Avo vanorwa newe vachava sechinhu chisipo chose. Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira. Usatya Jakobho iwe honye, iwe mudiki Israeri, nokuti ini iyeni ndichakubatsira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri. “Tarira, ndichakuita mupuro, mutsva unopinza, una meno mazhinji. Uchapura makomo ugoapwanya, uye uchaderedza zvikomo zvikava hundi. Uchaapepeta, achatorwa nemhepo, uye chamupupuri chichaaparadzira. Asi iwe uchafara muna Jehovha, uye uchazvirumbidza muMutsvene waIsraeri. “Varombo navanoshaya vanotsvaka mvura asi hakuna; ndimi dzavo dzaoma nenyota. Asi ini Jehovha ndichavapindura; ini, Mwari waIsraeri, handizovasiya. Ndichaita kuti nzizi dziyerere pamitunhu isina miti, namatsime pakati pemipata. Ndichashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava matsime. Ndichaisa mugwenga musidhari nomuakasiya, mumite nomuorivhi. Ndichaisa mipaini musango, misipuresi nemifiri pamwe chete, kuitira kuti vanhu vaone uye vagoziva, varangarire vagonzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvozvi, kuti Mutsvene waIsraeri ndiye akazvisika. “Sumai mhaka yenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uyai namashoko enyu akasimba,” ndizvo zvinotaura Mambo waJakobho. “Uyai nezvifananidzo zvenyu zvitiudze zvichaitika. Tiudzei zvinhu zvakare kuti zvaiva zvipi, kuti zvimwe tizviongorore tigoziva magumo azvo. Kana kuti tizivisei, zvinhu zvichaitika, tiudzei kuti ramangwana rinei, kuti tizive kana imi muri vanamwari. Itai chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti tigoshamiswa tigozadzwa nokutya. Asi imi hamuzi chinhu, uye mabasa enyu haana maturo chose; anokusarudzai anonyangadza. “Ndamutsa mumwe anobva kumusoro, zvino ari kuuya, mumwe anobva kumabvazuva anodana kuzita rangu. Iye anotsika pamusoro pavabati kunge anotsika dope, kuita sokunge muumbi wehari anokanya ivhu. Ndianiko akazvireva kubva pakutanga, kuti zvimwe, tingaziva, kana kuti zvichigere kuitika, kuti zvimwe tigoti, ‘Akanga anatsa?’ Hapana akataura izvozvi, hapana akataura kuti zvichauya, hapana akanzwa kana shoko kubva kwamuri. Ndini akava wokutanga kuudza Zioni kuti, ‘Tarira, ava vari pano!’ Ndakapa kuJerusarema nhume yamashoko akanaka. Ndinotarisa asi hapana munhu, hapana pakati pavo anopa zano, hapana anondipindura pandinovabvunza. Tarirai, vose inhema dzoga! Mabasa avo haana maturo; zvifananidzo zvavo imhepo nenyonganiso. “Tarirai muranda wangu, wandinotsigira, musanangurwa wangu wandinofarira; Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achavigira ndudzi kururamisirwa. Haazodanidziri kana kuridza mhere, kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi. Iye, mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira; haangakoniwi uye haangaperi simba kusvikira asimbisa kururamisirwa panyika. Zviwi zvichaisa tariro yazvo mumurayiro wake.” Zvanzi naMwari Jehovha, iye akasika matenga akaatatamura, akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi, anopa kufema kuvanhu vayo, noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo: “Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama; ndichabata ruoko rwako. Ndichakuchengeta ndigokuita kuti uve sungano yavanhu nechiedza kuvaHedheni, kuti usvinudze meso asingaoni, nokusunungura vakasungwa mutorongo uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima. “Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo. Tarira, zvinhu zvakare zvaitika, uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva; izvo zvisati zvavapo ndinozvizivisa kwamuri.” Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubva kumagumo enyika, imi munoburukira kugungwa, nazvose zviri mariri, imi zviwi, navose vanogaramo. Gwenga namaguta aro ngazvidanidzire; nzvimbo dzinogara Kedhari ngadzifare. Vanhu veSera ngavaimbe nomufaro; ngavapururudze pamusoro pemakomo. Ngavape rukudzo kuna Jehovha uye vaparidze rumbidzo yake kuzviwi. Jehovha achabuda somunhu ane simba, semhare, achamutsa kushingaira kwake; nokudanidzira, achamutsa kurwa uye achakunda vavengi vake. “Nokuti ndanga ndakanyarara kwenguva refu, ndanga ndinyerere uye ndichizvidzora. Asi zvino kufanana nomukadzi ari kusununguka, ndiri kudanidzira, ndiri kufemedzeka nokutakwaira. Ndichaparadza makomo nezvikomo, uye ndichaomesa zvose zvawo zvinomera; ndichashandura nzizi dzikava zviwi, uye madziva ndichaaomesa. Ndichatungamirira mapofu nenzira dzavasingazivi, nomumakwara avasina kuziva, ndichavatungamirira; ndichashandura rima rikava chiedza pamberi pavo uye ndichaita kuti nzvimbo dzakaipa dziti chechetere. Izvi ndizvo zvinhu zvandichaita; handizovasiyi. Asi ivo vanovimba nezvifananidzo, vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’ vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru. “Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone! Ndianiko bofu, asi muranda wangu, uye matsi kufanana nenhume yandinotuma? Ndianiko bofu rakafanana naiye akazvipira kwandiri, kana bofu rakafanana nomuranda waJehovha? Wakaona zvinhu zvizhinji, asi hauna kuva nehanya; nzeve dzako dzakazaruka, asi hauna chaunonzwa.” Zvakafadza Jehovha nokuda kwokururama kwake, kuti akudze murayiro wake uye aubwinyise. Asi ava ndivo vanhu vakapambwa uye vakabirwa, vose vakasungwa mumakomba kana kuti vakavanzwa mumatorongo. Vakava vabatwa, pasina anovarwira; vakaitwa chinhu chakapambwa, pasina anoti, “Vadzoserei kwavakabva.” Ndiani pakati penyu achateerera izvi, kana kurerekera nzeve dzake zvikuru panguva inouya? Ndiani akarega Jakobho achipambwa, akaendesa Israeri kuvapambi? Akanga asiri Jehovha here, iye watakatadzira? Nokuti havana kuda kutevera nzira dzake; havana kuteerera murayiro wake. Naizvozvo akadururira hasha dzake dzinopisa pamusoro pavo, iro bongozozo rehondo. Rakavaputira muvira romoto, asi havana kunzwisisa; rakavapisa, asi mwoyo yavo yakashaya hanya nazvo. Asi zvino, zvanzi naJehovha, iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Israeri: “Usatya, nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako; uri wangu. Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi. Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako; ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako, Etiopia neShebha pachinzvimbo chako. Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu, uye nokuti ndinokuda, ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako. Usatya, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva, ndichakuunganidzai kubva kumavirira. Ndichati kurutivi rwokumusoro, ‘Varegedze!’ uye kurutivi rwezasi, ‘Usavadzivisa.’ Uyisai vanakomana vangu kubva kure, uye navanasikana vangu vabva kumigumo yenyika, vose vanodanwa nezita rangu, vandakasikira kukudzwa kwangu vandakaumba uye ndikaita.” Uyai neavo vane meso asi vari mapofu, vane nzeve asi vari matsi. Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete, uye marudzi ngaaungane. Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika, akatiparidzira zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva, kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.” “Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu. Ini, iyeni, ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuna muponesi. Ini ndakaratidza ndikaponesa, ndikaparidza, ini, kwete vamwe vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu. Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti, “Ndini Mwari. Hongu, kubva pamazuva akare ndini iye. Hakuna angarwira munhu muruoko rwangu. Pandinoita chinhu, ndianiko angachikonesa?” Zvanzi naJehovha, mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri, “Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu, uye ndichaburitsa vaBhabhironi vose vachitiza, muzvikepe zvavaidada nazvo. Ndini Jehovha, Mutsvene Wako, Musiki waIsraeri, Mambo wako.” Zvanzi naJehovha, iye akaita nzira pakati pegungwa, nenzira mukati memvura zhinji, iye akabudisa ngoro namabhiza, hondo pamwe chete nezvinosimbisa, vakavata ipapo, havana kuzombomukazve, vadzimwa, vadzimwa somwenje, “Chikanganwai zvinhu zvakare; musaramba muri pane zvakapfuura. Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva! Zvino chava kumera; hamuchioni here? Ndiri kuita nzira mugwenga nehova musango. Zvikara zvesango zvinondikudza, makava namazizi, nokuti ndinozvipa mvura mugwenga nehova musango, kuti ndipe vanhu vangu chokunwa, vasanangurwa vangu, vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu. “Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho; hauna kuzvinetesa nokuda kwangu, iwe Israeri. Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa, kana kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo, kana kukunetesa nokuda zvinonhuwira. Hauna kundivigira kana zvinotapira, kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi wakandiremedza nezvivi zvako uye ukandinetesa nokudarika kwako. “Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako. Ndiyeuchidze zvakapfuura, ngatitaurirane nyaya iyi pamwe chete; zvipupurire kuti hauna mhosva. Tateguru wako akatadza; vamiririri vako vakandimukira. Naizvozvo ndichanyadzisa vanokudzwa vomutemberi yako, uye ndichaita kuti Jakobho aparadzwe uye Israeri asekwe. “Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, Israeri, wandakasarudza. Zvanzi naJehovha, iye akakuita, akauumba mudumbu uye iye achakubatsira: Usatya, iwe Jakobho, muranda wangu, Jeshuruni, wandakasarudza. Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota, nehova pamusoro pevhu rakaoma; ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nemikomborero yangu pamusoro pavana vako. Vachamera souswa mudekete, semiti yemikonachando pahova dzinoyerera. Mumwe achati, ‘Ndiri waJehovha’; mumwe achazvitumidza nezita raJakobho; zvakadaro, mumwe achanyora muruoko rwake achiti, ‘Ndiri waJehovha,’ uye achatora zita rokuti Israeri. “Zvanzi naJehovha, Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose: Ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari. Ndianiko zvino akafanana neni? Ngaazvitaure. Ngaadanidzire, azviise mberi kwangu izvo zvakaitika kubva pandakasimbisa vanhu vangu vekare, uye kuti chiiko chichaitika hongu, ngaataure zvichaitika. Musadedera, musatya. Handina kuparidza izvi here uye ndikazvitaura kare kare? Imi muri zvapupu zvangu. Kune mumwe Mwari kunze kwangu here? Kwete, hakuna rimwe Dombo; hakuna rimwe randinoziva.” Vose vanoita zvifananidzo havana maturo, uye zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri. Vose vangada kuvapupurira mapofu; havazivi, ndiko kuchava kunyadziswa kwavo. Ndiani anoveza mwari uye anoumba chifananidzo, chisingamubatsiri chinhu? Iye navamwe vake vachanyadziswa; mhizha hadzizi chinhu asi vanhu zvavo. Ngavaungane vose pamwe chete uye vamire vasingazungunuswi; vachaderedzwa, uye vachatya vachanyadziswa. Mupfuri anotora chokupfurisa agochishandisa mumazimbe; anoita chifananidzo nenyundo, agochiumba nesimba roruoko rwake. Anonzwa nzara agorasikirwa nesimba rake. Mukusanwa kwake mvura anobva aziya. Muvezi anoyera nerwodzi ozoita mutsetse nechokunyoresa; anounatsa nembezo, uye anoutara nezvienzaniso. Anouumba mumufananidzo womunhu, womunhu nokunaka kwake kwose, kuti ugare mumba. Akatema misidhari, kana zvimwe akatora musipuresi kana muouki. Akaurega uchikura pakati pemiti yesango, kana kuti akasima mupaini, mvura ikaita kuti ukure. Ndidzo huni dzomunhu dzokuvesa moto; dzimwe dzacho anodzitora agozvidziisa nadzo, anovesa moto agobika chingwa nadzo. Asizve anoveza chimwari agochinamata; anoita chifananidzo agochipfugamira. Hafu yehuni anopisa mumoto, nadzo anobika zvokudya zvake, anogocha nyama yake agoidya achiguta. Anozvidziyisazve, agoti, “Haiwa! Ndadziyirwa; moto ndiri kuuona.” Nezvasara anoita nazvo chimwari, icho chifananidzo chake; anochipfugamira agochinamata. Anonyengetera kwachiri achiti, “Ndiponesei; ndimi mwari wangu.” Havana chavanoziva, havanzwisisi chinhu, meso avo akanamwa kuitira kuti varege kuona, uye ndangariro dzavo dzakafukidzirwa kuitira kuti varege kunzwisisa. Hapana anombomira kuti afunge, Hapana ane ruzivo kana kunzwisisa kuti ati, “Hafu yacho ndaishandisa pakuvesa moto; ini iyeni ndabikira chingwa pamazimbe acho, ndagocha nyama ndikadya. Ndichaita zvinonyangadza pane zvasara here? Ndichapfugamira kudanda rehuni here?” Anodya madota, mwoyo wakanyengerwa unomutsausa; haagoni kuzviponesa kana kuti ati, “Ko, chinhu ichi chiri muruoko rwangu rworudyi hachisi chenhema here?” “Rangarira zvinhu izvi, iwe Jakobho, nokuti uri muranda wangu, iwe Israeri. Ndakakuita, uri muranda wangu; haiwa Israeri, handichakukanganwizve. Ndakadzima kudarika kwako segore, nezvivi zvako semhute yamangwanani. Dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura.” Imbai nomufaro imi matenga, nokuti Jehovha akaita izvozvi; danidzira nesimba, iwe nyika iri pasi. Imbai nziyo, imi makomo, nemi masango nemiti yose, nokuti Jehovha adzikinura Jakobho, akaratidza kubwinya muIsraeri. “Zvanzi naJehovha, mudzikinuri wako, iye akakuumba uri mudumbu: “Ndini Jehovha, akaita zvinhu zvose, iye oga akatatamura matenga, akatambanudza nyika oga. Iye anokonesa zviratidzo zvavaprofita venhema, anoita kuti vavuki vave mapenzi, iye anoparadza kudzidza kwavane njere, uye anokushandura kuti kuve upenzi, anozadzisa mashoko omuranda wake, uye anozadzisa zvakaprofitwa nenhume dzake, anoti kuJerusarema, ‘Richagarwa,’ nokumaguta eJudha, ‘Achavakwa,’ nokumatongo awo, ‘Ndichaavandudza,’ iye anoti kumvura yakadzika, ‘Oma, uye ndichaomesa hova dzako,’ iye anoti pamusoro paSirasi, ‘Ndiye mufudzi wangu uye achaita zvose zvandinoda; iye achati pamusoro peJerusarema, “Ngarivakwezve,” uye pamusoro petemberi achati, “Nheyo dzayo ngadziteyiwe.” ’ ” “Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabata kuti akunde ndudzi pamberi pake, uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo, kuti ndizarure mikova pamberi pake, masuo agorega kupfigwa: Ndichaenda mberi kwako uye ndichaenzanisa makomo; ndichaputsa masuo endarira uye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi. Ndichakupa pfuma yerima, upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, anokudana nezita rako. Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsraeri musanangurwa wangu, ndinokudana nezita rako, uye ndinoisa pamusoro pako zita rokukudzwa, kunyange iwe usingandizivi. Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe; kunze kwangu ini hakuna Mwari. Ndichakusimbisa, kunyange usina kundiziva, kuti kubva kumabudazuva kusvikira kwarinovirira, vanhu vazive kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Jehovha uye hakuna mumwe. Ndinoumba chiedza uye ndinosika rima, ndinoita rugare uye ndinosika njodzi; ini Jehovha, ndini ndinoita zvinhu izvi zvose. “Imi matenga kumusoro, nayisai kururama; makore ngaakudonhedze pasi. Nyika ngaizaruke kwazvo, ruponeso ngarutubuke, kururama ngakukure pamwe chete narwo; ini Jehovha, ndini ndakazvisika. “Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake, iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu. Ko, ivhu ringati kumuumbi, ‘Uri kugadzirei?’ Ko, basa rako rinoti here, ‘Uyu haana maoko?’ Ane nhamo uyo anoti kuna baba vake, ‘Chiiko chamakabereka?’ kana kuna mai vake, ‘Chiiko chamakazvara?’ “Zvanzi naJehovha, iye Mutsvene waIsraeri, noMuiti wake: Pamusoro pezvinhu zvichauya, unondibvunza here pamusoro pavana vangu, kana kundirayira pamusoro pebasa ramaoko angu? Ndini ndakaita nyika uye ndikasika vanhu vendudzi dzose pamusoro payo. Maoko angu pachangu akatatamura matenga; ndakarayira hondo dzawo dzose dzenyeredzi. Ndichamutsa Sirasi mukururama kwangu: ndichaita kuti nzira dzake dzose dzirurame. Iye achavakazve guta rangu, uye achasunungura vatapwa vangu, asi pasina muripo kana mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.” Zvanzi naJehovha: “Zvibereko zveIjipiti nezvinoshambadzirwa zveEtiopia, navaSabhea varefu, vachauya kwauri uye vachava vako; vachatevera mushure mako. vachiuya kwauri vakasungwa nengetani. Vachapfugama pamberi pako uye vachakunyengetedza, vachiti, ‘Zvirokwazvo Mwari anewe, uye hakunazve mumwe; hakuna mumwe mwari.’ ” Zvechokwadi muri Mwari anozvivanza, imi Mwari noMuponesi waIsraeri. Vose vanoita zvifananidzo vachava nenyadzi uye vachanyadziswa, vachasvika pakunyadziswa pamwe chete. Asi Israeri achaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamuchazombonyadziswi kana kuva nenyadzi, kusvikira kumakore asingaperi. Nokuti zvanzi naJehovha, iye akasika matenga, ndiye Mwari; iye akaumba uye akaita nyika, ndiye akaisimbisa; haana kuisikira kuti igare isina chinhu, asi akaiumba kuti igarwe, iye anoti, “Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe. Handina kutaura ndiri pakavanda, ndichibva kumwe kunyika yerima; handina kuti kuvana vaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Ini, Jehovha ndinotaura chokwadi; ndinoparidza zvakarurama. “Unganai pamwe chete muuye; unganai, imi vatizi vanobva kune dzimwe ndudzi. Vose vanotakura mifananidzo yamatanda havazivi, vanonyengetera kuna vamwari vasingagoni kuponesa. Paridzai zvichauya, muzvibudise: ngavarangane pamwe chete. Ndianiko akazvitaura kare, ndiani akazvireva kubva kare nakare? Handizini Jehovha here? Uye kunze kwangu ini hakuna Mwari, Mwari akarurama noMuponesi; hakuna mumwe asi ini. “Dzokerai kwandiri mugoponeswa, imi mose migumo yenyika; nokuti ndini Mwari, uye hakuna mumwe. Ndakapika neni pachangu, muromo wangu wakataura nokururama kwose shoko risingazoshandurwi: Mabvi ose achapfugama pamberi pangu; ndimi dzose dzichapika neni. Vachati pamusoro pangu, ‘Muna Jehovha chete ndimo muno kururama nesimba.’ ” Vose vakamutsamwira vachauya kwaari uye vachanyadziswa. Asi rudzi rwose rwaIsraeri ruchawanikwa rwakarurama muna Jehovha uye ruchafara. Bheri rinokotamira pasi, Nebho rinokotama; zvifananidzo zvavo zvinotakurwa nezvipfuwo zvinotakura mutoro. Zvifananidzo zvacho zvinotakurwa zvinorema, mutoro pazvipfuwo zvakaneta. Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete; zvisingagoni kurwira mutoro, izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa. “Ndinzwei, imi imba yaJakobho, imi mose vanosara veimba yaIsraeri, imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu, uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu. Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu, bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai. Ndakakuitai uye ndichakutakurai; ndichakuraramisai uye ndichakununurai. “Mungandienzanisa naaniko kana kunditi ndakaita saani? Mungandifananidza naaniko wandingaenzaniswa naye? Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo, uye vanoyera sirivha pazviyero; vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari, vagopfugama kuti vachinamate. Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura; vanochigadzika panzvimbo yacho, uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo. Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri; hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake. “Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu, muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki. Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare; ndini Mwari, uye hakuna mumwe; ndini Mwari, hakuna akafanana neni. Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda. Kubva kumabvazuva ndinodana gondo; kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu. Zvandakareva ndichaita kuti zviitike; zvandakaronga, ndichazviita. Nditeererei, imi vane mwoyo yakasindimara, iyemi muri kure nokururama. Ndiri kuswededza pedyo kururama kwangu, hakusi kure; uye ruponeso rwangu haruzononotswi. Ndichapa ruponeso kuZioni, nokubwinya kwangu kuna Israeri. “Buruka, ugare muguruva, iwe Mhandara yeBhabhironi; gara pasi usina chigaro choushe, iwe Mhandara yavaBhabhironi. Hauchazonzi uri munyoro kana munhu akapfava. Tora makuyo ukuye upfu; bvisa vhoiri rako. Fukura nguo dzako, makumbo ako aonekwe, uyambuke hova. Kushama kwako kuchava pachena, uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa. Ndichatsiva; handizosiyi munhu.” Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake; ndiye Mutsvene waIsraeri. “Gara unyerere, enda murima, Mhandara yavaBhabhironi; hauchazonzi mambokadzi woumambo noumambo. Ndakatsamwira vanhu vangu ndikasvibisa nhaka yangu; ndakavapa muruoko rwako, iwe ukasavanzwira ngoni. Kunyange vakakwegura wakavatakudza joko rinorema kwazvo. Wakati, ‘Ndicharamba ndiri mambokadzi nokusingaperi!’ Asi hauna kufunga zvinhu izvi, kana kucherechedza zvaizogona kuitika. “Naizvozvo zvino, chinzwa, iwe chisikwa chisingagutsikani, ugere zvakachengetedzeka, uchiti, mumwoyo mako, ‘Ndini, hakuna mumwe kunze kwangu. Handizovi chirikadzi, uye handizotambudziki nokurasikirwa navana.’ Zviviri izvozvi zvichakuwira nechinguva chidiki diki, pazuva rimwe chete zvinoti: kufirwa navana nouchirikadzi. Zvichauya pamusoro pako nechiyero chizere, kunyange uine un'anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda. Wakavimba nezvakaipa zvako uye wakati, ‘Hapana anondiona.’ Uchenjeri hwako nezivo yako zvinokutsausa paunoti, mumwoyo mako, ‘Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.’ Dambudziko richakuwira, uye haugoni kuzoziva kuti ungaritanda sei. Njodzi ichakuwira yausingagoni kubvisa nomuripo; pakarepo kuparadza kwausingagoni kuziva, kuchawira pamusoro pako. “Zvino, enderera hako mberi nouroyi hwako, uye noun'anga hwako huzhinji, hwawakashandira kubva paudiki hwako. zvichida uchabudirira, zvichida uchavhundutsira vamwe. Mazano ose awakagamuchira, akakunetesa chete! Vanhu vako vanocherechedza nyeredzi ngavauye mberi, avo vanotarira nyeredzi vachifembera mwedzi nomwedzi, ngavakuponese pane zviri kuuya pamusoro pako. Zvirokwazvo vakafanana namashanga; moto uchaapisa akapera. Haangatongogoni kuzvirwira, pasimba romurazvo womoto. Asi hapana mazimbe okuti munhu adziyirwe; hapana moto wokudziya ipapo. Izvozvi ndizvo chete zvavangakuitira, ava vawakashanda navo, uye ukafamba navo kubva paudiki hwako. Mumwe nomumwe wavo anoenderera mberi nokukanganisa kwake; hapana kana mumwe angakuponesa. “Inzwai izvi, imi imba yaJakobho, makatumidzwa zita raIsraeri, uye muchibva kurudzi rwaJudha, imi munoita mhiko muzita raJehovha, uye munodana kuna Mwari waIsraeri, asi musingaiti muzvokwadi kana mukururama, imi munozviti vagari vomuguta dzvene, muchivimba naMwari weIsraeri; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake: Ndakazivisa zvinhu zvakare, kare kare, muromo wangu wakazvireva uye ndakaita kuti zvizivikanwe; ipapo nokukurumidza ndakazviita, uye zvikaitika. Nokuti ndaiziva kuti mwoyo wako mukukutu; nokuti mutsipa wako runda rwesimbi, huma yako yakanga iri yendarira. Naizvozvo ndakakuudza zvinhu izvi kare kare; zvisati zvaitika ndakazvizivisa kwauri, kuitira kuti urege kuzoti, ‘Zvifananidzo zvangu, ndizvo zvakazviita; mufananidzo wangu wedanda namwari wangu wesimbi ndizvo zvakarayira izvozvo.’ Wakazvinzwa zvinhu izvi; zvitarire zvose. Haungazvibvumi here? “Kubva zvino ndichakuzivisa zvinhu zvitsva, zvakavanzika zvausingazivi. Zvava kusikwa zvino, uye hakusi kare; hauna kumbozvinzwa zuva ranhasi risati rasvika. Saka haugoni kuti, ‘Hongu, ndaizviziva.’ Hauna kumbonzwa kana kunzwisisa; kubva kare nzeve yako yakanga isina kudziurwa. Ndinoziva kwazvo kuti uri munyengeri akadii; wakanzi mhandu kubva pakuzvarwa kwako. Nokuda kwezita rangu ndinononoka kutsamwa; nokuda kwokurumbidzwa kwangu ndinozvidzora pamusoro pako, kuti ndisakuparadza. Tarira, ndakakunatsa, kunyange zvisina kuita sesirivha; ndakakuedza muchoto chokutambudzika. Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndinoita izvi. Ko, ndingaregererei zita rangu richimhurwa? Handingapi kukudzwa kwangu kuno mumwe. “Nditeerere, iwe Jakobho, Israeri, wandakadaidza; ndini iye: ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira. Ruoko rwangu ndirwo rwakateya nheyo dzenyika, uye ruoko rwangu rworudyi rwakatambanudza matenga; pandinozvidana, zvose zvinomira pamwe chete. “Unganai pamwe chete, imi mose muteerere; Ndechipiko chimwe chezvifananidzo chakakuudzai kuti zvinhu izvi zvichaitika? Iye anodikanwa naJehovha achaita zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi; ruoko rwake rucharwisa vaBhabhironi. Ini, iyeni ndataura; hongu, ndamudana. ndichauya naye, uye achabudirira pane zvaanotumwa. “Swederai kwandiri muteerere izvi: “Kubvira pachiziviso chokutanga handina kumbotaura muchivande; panguva yazvinoitika, ndinenge ndiripo.” Uye zvino Ishe Jehovha andituma, noMweya wake. Zvanzi naJehovha Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri, “Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo. Dai chete wakanga wateerera mirayiro yangu, rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, kururama kwako samafungu egungwa. Zvizvarwa zvako zvingadai zvakaita sejecha, navana vako vakaita setsanga dzejecha dzisingaverengeki; zita ravo haraimboparara kana kuparadzwa pamberi pangu.” Ibvai muBhabhironi, tizai vaBhabhironi! Zivisai izvi nomufaro mukuru, uye muzviparidze. Zvitumirei kumagumo enyika; muti, “Jehovha adzikinura muranda wake Jakobho.” Havana kunzwa nyota paakavatungamirira mugwenga; akaita kuti mvura iyerere ichibva mudombo, achiitira ivo; akatsemura dombo mvura ikatubuka. “Vakaipa havana rugare,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndinzwei, imi zviwi; inzwai izvi, imi ndudzi dziri kure; Jehovha akandidana ndisati ndaberekwa; kubva pakuzvarwa kwangu akataura zita rangu. Akaita muromo wangu somunondo unopinza, akandiviga mumumvuri wechanza chake; akandiita museve unopenya, akandiviga mugomba rake. Akati kwandiri, “Ndiwe muranda wangu, Israeri, wandicharatidza kubwinya kwangumaari.” Asi ndakati, “Ndakashandira pasina, ndapedza simba rangu pane zvisina maturo uye pasina. Nyamba zvakandifanira ini zviri muruoko rwaJehovha, uye mubayiro wangu uri kuna Mwari.” Zvino Jehovha anoti, iye akandiumba ndiri muchizvaro kuti ndive muranda wake, kuti ndidzorere Jakobho kwaari uye kuti Israeri vaunganidzwezve kwaari, nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, uye Mwari wangu ndiye simba rangu, iye anoti: “Chinhu chiduku kwazvo kuti iwe uve muranda wangu, anomutsazve marudzi aJakobho nokudzosa avo vaIsraeri vandakachengeta. Uyezve ndichakuita chiedza chavahedheni, kuti uuyise ruponeso rwangu kumigumo yenyika.” Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri noMutsvene waIsraeri, kuna iye akanga azvidzwa nokusemwa namarudzi, kumuranda wavabati, “Madzimambo achakuona agosimuka, machinda achaona agokotamira pasi, nokuda kwaJehovha akatendeka, Mutsvene waIsraeri, akakusarudza.” Zvanzi naJehovha, “Nenguva yangu yakafanira, ndichakupindura, uye pazuva roruponeso ndichakubatsira; ndichakuchengeta uye ndichakuita kuti uve sungano yavanhu, kuti umutsiridze nyika uye uvagarise patsva nhaka yakaparara, kuti uti kunhapwa, ‘Budai,’ nokuna avo vari murima, ‘Uyai muchiedza!’ “Vachadya zvokudya parutivi rwenzira, uye vachawana mafuro pazvikomo zvose zvisina zvibereko. Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupisa kwegwenga, kana nokupisa kwezuva. Iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira, uye achavafambisa napazvitubu zvemvura. Ndichashandura makomo angu ose kuti ave migwagwa, uye migwagwa yangu mikuru ichasimudzirwa. Tarirai vachauya vachibva kure: vamwe vachibva nechokumusoro, vamwe nechokumavirazuva, vamwe nokurutivi rweAsiwani.” Imbai, imi matenga, pembera iwe nyika; imbai rwiyo imi makomo! Nokuti Jehovha anonyaradza vanhu vake, uye achava netsitsi navanhu vake vanotambudzika. Asi Zioni rakati, “Jehovha akandisiya, Jehovha akandikanganwa.” “Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo, uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here? Kunyange hazvo ivo vakakanganwa, ini handizokukanganwi! Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu; madziro ako anogara ari mberi kwangu. Vanakomana vako vanokurumidza kudzoka shure, uye vose vaikuparadza vachabva kwauri. Simudza meso ako utarise kwose kwose; vanakomana vako vose vanoungana vachiuya kwauri.” Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, “uchavafuka vose sezvishongo: uchavapfeka, somwenga. “Kunyange wakaparadzwa ukaitwa dongo, uye nyika yako yakasiyiwa yava dongo, zvino vanhu vako havachakwani mauri, uye vose vaikumedza vachava kure. vana vakaberekwa panguva yokufirwa kwako vachatizve munzeve dzako, ‘Nzvimbo iyi yava diki kwatiri: tipeiwo nzvimbo yakatambanuka yatingagara.’ Ipapo uchati mumwoyo mako, ‘Ndianiko akandiberekera ava? ndakanga ndafirwa uye ndisina mwana; ndakanga ndadzingwa uye ndarambwa. Ndianiko akarera ava? Ndakasiyiwa ndiri ndoga, asi ava, vabvepiko?’ ” Zvanzi naIshe Jehovha, “Tarira ndichasimudza ruoko rwangu kuvaHedheni, ndichasimudzira mureza wangu kumarudzi; vachauya navanakomana vako vari mumaoko avo, uye vachatakura vanasikana vako pamapfudzi avo. Madzimambo achava madzibaba anokurerai, uye vanamambokadzi vavo vachava vanamai vanokurerai. Vachakupfugamirai uso hwavo hwakatsikitsira pasi, vachananzva guruva patsoka dzenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanovimba neni havachazonyadziswi.” Ko, mhare ingapambwa here, kana vatapwa vanganunurwa kubva kune anotyisa here? Asi zvanzi naJehovha, “Hongu vatapwa vachatorwa kubva kumhare, uye zvakapambwa kubva kune anotyisa; ndicharwa navanorwa newe, uye vana vako ndichavaponesa. Ndichaita kuti vamanikidzi vako vadye nyama yavo; vachadhakwa neropa ravo, sevadhakwa newaini. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.” Zvanzi naJehovha, “Ko, tsamba yokurambwa kwamai venyu iripiko yandakavadzinga nayo? Uye ndevapiko vandakakwereta ndikazokutengesai kwavari? Makatengeswa nokuda kwezvivi zvenyu; mai venyu vakadzingwa nokuda kwokudarika kwenyu. Sei ndakashaya munhu, pandakauya? Sei pasina akapindura pandakadana? Ko, ruoko rwangu rwakanga rwakapfupika here kuti ndikudzikinurei? Handina simba rokukununurai here? Nokungorayira chete ndinopwisa gungwa; ndinoshandura nzizi dzikava gwenga; hove dzadzo dzinoora nokushayiwa mvura, uye dzinofa nenyota. Ndinoshongedza denga nerima uye ndinoita masaga chifukidzo charo.” Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa, kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika. Anondimutsa mangwanani namangwanani, anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa. Ishe Jehovha akazarura nzeve dzangu, uye handina kumumukira; handina kudzokera shure. Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova, namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu; Handina kuvanza chiso changu pakusekwa nokupfirwa mate. Nokuti Ishe Jehovha anondibatsira, handizonyadziswi. Naizvozvo ndakaita kuti chiso changu chive sebwe romusarasara, uye ndinoziva kuti handizonyadziswi, Iye anondiruramisira ari pedyo. Ndianiko zvino achandipa mhosva? Ngatitarisanei! Ndianiko mupomeri wangu? Ngaarangane neni! Ndiye Ishe Jehovha anondibatsira. Ndianiko achandipa mhosva? vose vachasakara senguo; vachadyiwa nezvipfuno. Ndiani pakati penyu anotya Jehovha, uye anoteerera shoko romuranda wake? Ngaafambe murima, iye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha uye avimbe naMwari wake. Asi zvino, imi mose munotungidza moto muchava nemwenje inopfuta, endai, mufambe muchiedza chomoto wenyu nechemwenje yamakabatidza. Izvi ndizvo zvamuchagamuchira kubva paruoko rwangu: Muchavata pasi mukurwadziwa. “Nditeererei, imi munotevera kururama uye munotsvaka Jehovha: Tarirai kudombo ramakabviswa pariri naparuware pamakacherwa; tarirai kuna Abhurahama, baba venyu, nokuna Sara, akakuberekai. Pandakamudana akanga achingova mumwe chete, ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji. Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana nebindu raJehovha. Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri, kuvonga nenzwi rokuimba. “Nditeererei, imi vanhu vangu; ndinzwei imi rudzi rwangu: Ndichakupai murayiro; kururamisira kwangu kuchava chiedza kumarudzi. Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza, ruponeso rwangu rwuri munzira, uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kumarudzi. Zviwi zvichatarira kwandiri uye zvichamirira ruoko rwangu netariro. Simudzirai meso enyu kumatenga, tarirai pasi penyika; matenga achanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo, uye vanogaramo vachafa senhunzi. Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi, kururama kwangu hakuzombogumi. “Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama, imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu: Musatya kuzvidza kwavanhu, uye musavhundutswa nokutuka kwavo. Nokuti chipfuno chichavadya senguo; honye ichavadya sewuru. Asi kururama kwangu kuchagara nokusingaperi, ruponeso rwangu kumarudzi namarudzi.” Muka, muka! Zvishongedze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka, sapamazuva akare, sapamarudzi akare. Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi, ukabaya chikara chiya here? Hausiwe wakaomesa gungwa here, iyo mvura yokwakadzika zvikuru, ukaita mugwagwa makadzika megungwa kuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke? Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo. Mufaro nokupembera zvichafashukira, uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza. “Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai. Ndiwe aniko unotya vamunhu vanofa, vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo, kuti ukanganwe Jehovha Muiti wako, akatatamura matenga, akateya nheyo dzenyika, kuti ugare uchitya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, uyo akarerekera kukuparadza? Ko, hasha dzomumanikidzi dziripi? Vasungwa vakatapwa vachakurumidza kusunungurwa; havazofiri mumakomba avo, kana kuzoshayiwa chingwa. Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu, iye ni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo, iyeni ndakateya nheyo dzenyika, uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ” Muka, muka! Simuka, iwe Jerusarema, iwe wakanwa kubva muruoko rwaJehovha, mukombe wehasha dzake, iwe wakasveta kusvikira wapera kuti tsvai, iwo mukombe unoita kuti vanhu vadzedzereke. Pavanakomana vose vaakabereka pakanga pasina anomutungamirira; pavanakomana vose vaakarera pakanga pasina aimusesedza noruoko rwake. Njodzi mbiri idzi dzauya pamusoro pako, ndianiko angakunyaradza?— dzinoti: kuva dongo nokuparadzwa, nzara nomunondo; ndianiko anogona kukunyaradza? Vanakomana vako vaziya; vanovata panotangira migwagwa, kufanana nemhara yabatwa mumumbure. Vakazadzwa nehasha dzaJehovha nokutuka kwaMwari wako. Naizvozvo inzwa izvi, iwe munhu wokutambudzika, wakadhakiswa asi kwete newaini. Zvanzi naIshe Jehovha Mwari wako, anodzivirira vanhu vake, “Tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wakakuita kuti udzedzereke; kubva pamukombe uyo, iwo mukombe wehasha dzangu, hauchazounwizve. Ndichauisa mumaoko avatambudzi vako, ivo vanoti kwauri, ‘Zvambarara pasi kuti tifambe napamusoro pako.’ Iwe wakaita kuti musana wako uve sapasi, kufanana nomugwagwa unofambwa nawo.” Muka, muka iwe Zioni, zvifukidze nesimba. Fuka nguo dzako dzakanakisa, iwe Jerusarema, guta dzvene. Vasina kudzingiswa navakasvibiswa havachapindizve mauri. Zunza guruva rako: simuka, ugare paushe, iwe Jerusarema. Zvisunungure pangetani dziri pamutsipa wako, iwe nhapwa, Mwanasikana weZioni. Nokuti zvanzi naJehovha, “Wakatengeswa pasina mutengo, uye uchadzikinurwa pasina mari.” Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Pakutanga vanhu vangu vakaenda kuIjipiti kundogarako; iye zvino Asiria inovamanikidza. “Uye zvino ndinei pano?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti vanhu vangu vakabviswa pasina, uye avo vanovatonga vanovaseka,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye zuva rose zita rangu rinogara richimhurwa. Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu; naizvozvo pazuva iro vachaziva kuti ndini ndakazvitaura. Hongu, ndini iye.” Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzavanouya namashoko akanaka, vanoparidza rugare, vanouya namashoko akanaka, vanoparidza ruponeso, vanoti kuZioni, “Mwari wako anotonga!” Chinzwa! Nharirire dzako dzinodanidzira namanzwi adzo; vanopembera nomufaro pamwe chete. Panodzokera Jehovha kuZioni, vachazviona nameso avo pachavo. Pururudzai muimbe nziyo dzomufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema, nokuti Jehovha anyaradza vanhu vake, akadzikinura Jerusarema. Jehovha acharatidza ruoko rwake rutsvene pamberi pendudzi dzose, uye magumo ose enyika achaona ruponeso rwaMwari wedu. Ibvai, ibvai, budai ikoko! Musabata chinhu chine tsvina! Budaimo mugova vakachena, imi munotakura midziyo yaJehovha. Asi hamungazobudi nokukurumidza kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai, Mwari waIsraeri achakurindai mushure. Tarirai muranda wangu achaita nouchenjeri; achasimudzirwa uye achakwidzwa pamusoro, uye achakudzwa kwazvo. Sezvo vazhinji vakashamiswa naye, chiso chake chakanga chakakuvadzwa zvikuru, kupfuura chomunhu upi zvake, uye chimiro chake chakanga chakanganiswa, kupfuura kuratidzika kwomunhu, saka iye achasasa ndudzi zhinji, uye madzimambo achafumbira miromo nokuda kwake. Nokuti zvavakanga vasina kuudzwa, vachazviona, uye zvavasina kumbonzwa, vachazvinzwisisa. Ndianiko akatenda zvatakaparidza, uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko? Iye akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari, hapana chatingada pakuratidzika kwake. Iye akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza. Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa. Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa. Isu tose takanga takarasika samakwai, mumwe nomumwe nenzira yake, asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose. Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake. Akabviswa achimanikidzwa uye akatongwa. Uye ndianiko angataura rudzi rwake? Nokuti akagurwa kubva panyika yavapenyu, nokuda kwokudarika kwavanhu vangu, akarohwa. Akapiwa guva rake pakati pavatadzi, uye akava navapfumi pakufa kwake, kunyange akanga asina kuita zvechisimba, uye kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make. Asi kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti amukuvadze uye aite kuti atambudzike, uye kunyange zvazvo Jehovha akaita kuti upenyu hwake huve chipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake uye achawedzera mazuva ake, uye kuda kwaJehovha kuchabudirira muruoko rwake. Shure kwokutambudzika kwomweya wake, achaona chiedza choupenyu uye achagutsikana; nokuziva kwake, muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji, uye achatakura kuipa kwavo. Naizvozvo ndichamupa mugove pakati pavakuru vakuru, uye achagoverana zvakapambwa navane simba, nokuti akadurura upenyu hwake kusvika parufu, akaverengwa pamwe chete navadariki. Nokuti akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki. “Imba, iwe mukadzi asina mwana, pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro, iwe usina kumborwadziwa; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura veane murume,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Wedzera nzvimbo yetende rako, tambanudza micheka yetende rako ifare, usarega kuita izvozvo; rebesa tambo dzako, simbisa mbambo dzako. Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe; vana vako vachatorera mamwe marudzi uye vachagara mumatongo amaguta avo. “Usatya hako: haunganyadziswi. Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi. Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako, uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako. Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake, Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako; anonzi Mwari wenyika yose. Jehovha achakudanazve sokunge wanga uri mukadzi akasiyiwa, uye anotambudzika pamweya, mukadzi akawanikwa achiri mudiki, pedzezvo ndokurambwa,” ndizvo zvinotaura Mwari wako. “Kwechinguvana ndakakusiya, asi netsitsi huru ndikakudzosazve. Ndichisundwa nehasha ndakavanza chiso changu kwauri kwechinguva, asi nounyoro husingaperi ndichava netsitsi, pamusoro pako,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikinuri wako. “Kwandiri izvi zvakafanana namazuva aNoa, pandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haizofukidzizve nyika. Naizvozvo zvino ndapika kuti ndirege kukutsamwira, kana kukutukazve. Kunyange makomo akazungunuswa, uye zvikomo zvikabviswa, rudo rwangu rusingaperi harungazungunuswi, uye sungano yangu yorugare haingabviswi,” ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwira tsitsi. “Haiwa, iwe guta rokutambudzika wakarohwa nedutu ukasanyaradzwa, ndichakuvaka namabwe ana mavara, nheyo dzako namabwe esafiri. Ndichakuitira zviruvi zvamabwe matsvuku, masuo amabwe anovaima, uye masvingo ako ose amabwe anokosha. Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha, uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru. Muchasimbiswa mukururama: Kumanikidzwa kuchava kure nemi: hapana chamuchazotya. Kutya kuchava kure nemi; hakuchazosviki pedyo nemi. Kana mumwe akakurwisa, handisini ndinenge ndazviita; ani naani anokurwisa achazvipira kwauri. “Tarira, ndini ndakasika mupfuri wesimbi anopfutidza mazimbe moto ugonganduma, uye anopfura munondo wakakodzera pabasa rawo. Uye ndini ndakasika muparadzi kuti aparadze; hapana munondo ucharwisana newe ukakunda, uye uchakonesa rurimi rumwe norumwe runokupomera mhosva. Iyi ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, uye uku ndiko kururamisirwa kwavo kunobva kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uyai imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; nemi musina mari, uyai, mutenge uye mudye! Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari uye pasina mutengo. Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeerei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka. Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri; ndinzwei kuti mweya yenyu irarame. Ndichaita sungano isingaperi nemi, iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi. Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi, mutungamiri nomukuru wamarudzi. Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva, uye ndudzi dzisingakuzivi dzichamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, nokuti iye akakufukidza nokubwinya.” Tsvakai Jehovha achawanikwa: danai kwaari achiri pedyo. Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru. “Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu. Semvura nechando zvinoburuka kubva kudenga, zvisingadzokeriko zvisina kudiridza nyika nokuita kuti ibukire nokubereka zvakawanda, kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya, saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu: Haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richaita zvinondifadza, uye richaita zvandakarituma. Muchabuda nomufaro, uye muchafambiswa murugare; makomo nezvikomo zvichapururudza uye zvichaimba rwiyo pamberi penyu, uye miti yose yeminda ichauchira maoko ayo. Pachinzvimbo chomunzwa pachamera muti womupaini, pachinzvimbo chorukato pachamera mumite. Izvi zvichava mukurumbira waJehovha, nechiratidzo chokusingaperi, chisingazoparadzwi.” Zvanzi naJehovha, “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa. Akaropafadzwa munhu anoita izvi, munhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata asingarisvibisi, uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.” Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.” Uye nomuyunaki ngaarege kugunun'una achiti, “Ndinongova zvangu muti wakaoma.” Nokuti zvanzi naJehovha, “Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu, vanosarudza zvinondifadza, uye vanobatirira pasungano yangu, kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo, chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi. Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha kuti vamushumire, kuti vade zita raJehovha, uye vamunamate, vose vanochengeta Sabata vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu, ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera. Zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose.” Ishe Jehovha anoti, iye anounganidza vakadzingwa vaIsraeri, “Ndichaunganidzazve vamwe kwavari, pamwe chete neavo vakatounganidzwa kare.” Uyai, imi mose zvikara zvesango, uyai mudye, imi mose zvikara zvesango! Nharirire dzeIsraeri mapofu, vose vanoshayiwa zivo; vose imbwa dzisingahukuri, hadzigoni kuhukura; dzinovata pose pose dzichingorota, dzinofarira kuvata. Imbwa dzinokara zvikuru; dzisingamboguti. Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa: vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo, mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa. Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini! Regai tinwe tigute nedoro! Uye mangwana achafanana nanhasi, kana kutopfuura.” Vakarurama vanoparara, uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make; vanhu vanoda Mwari vanobviswa, uye hakuna anonzwisisa kuti vakarurama vanobviswa kuti vanunurwe kubva pane zvakaipa. Vose vanofamba mukururama vanopinda murugare, vanowana zororo pavanovata murufu. “Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi, imi chibereko chemhombwe nezvifeve! Muri kuseka aniko? Ndiani wamunohomera uye wamunobudisira rurimi rwenyu? Ko, hamusi chibereko chemhandu here, nechizvarwa chavanoreva nhema? Munotsva noruchiva pakati pemiti yemuouki napasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira; munobayira vana venyu mumipata napasi pamapazi akarembera. Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu; izvozvo, ndiwo mugove wenyu. Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri, uye ukapa chipiriso chezviyo. Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here? Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu; ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro. Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvako wakaisa chirangaridzo chavamwari vako. Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako, wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo; wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda, uye wakatarisa kusasimira kwavo. Wakaenda kuna Moreki namafuta omuorivhi ukawedzera zvinonhuwira zvako. Wakatumira nhume dzako kure; wakaburukira kuguva chaiko! Wakaneteswa nenzira dzako dzose, asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’ Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako, nokudaro hauna kuziya. “Ndianiko wawakatya uye ukavhunduka zvokuti wakazoreva nhema kwandiri, uye hauna kumbondirangarira kana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako? Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyarara iwe ukasanditya here? Ndichaisa pachena kururama kwako namabasa ako, uye hazvizombokubatsiri. Paunochemera rubatsiro, zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire! Mhepo ichazvikukura zvose, mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure. Asi munhu anondiita utiziro hwake achagara nhaka yenyika, uye gomo rangu dzvene richava rake.” Uye zvichazonzi, “Vakai, vakai, gadzirai mugwagwa! Bvisai zvipinganidzo munzira yavanhu vangu.” Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro, iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene, “Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene, asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa, kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika. Handichapi mhosva nokusingaperi, kana kugara ndakatsamwa, nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu, kufema kwomunhu wandakasika. Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara; ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu, asi akaramba ari munzira dzaaida. Ndakaona nzira dzake, asi ndichamuporesa; ndichamutungamirira uye ndichamunyaradza, ndichisika rumbidzo pamiromo yavanochema muIsraeri. Rugare, rugare kuna vari kure navari pedyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye ndichavaporesa.” Asi vakaipa vakafanana negungwa rinozungunuka, risingagoni kuzorora, rina mafungu anorasa marara namatope. Mwari wangu anoti, “Vakaipa havana rugare.” “Danidzira nesimba, usanyarara. Simudza inzwi rako sehwamanda. Paridzira vanhu vangu kupanduka kwavo, neimba yaJakobho zvivi zvavo. Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka; vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu, kunge vanga vari rudzi runoita zvakanaka uye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo. Vanondikumbira kutonga kwakarurama sokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo. Vanoti, ‘Takatsanyireiko, uye imi mukasazviona? Takazvininipisireiko, imi mukasazviona?’ “Asi pazuva rokutsanya kwenyu munoita zvamunoda muchimanikidza vashandi venyu. Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga, uye kurovana netsiva dzakaipisisa. Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano, mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro. Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza, zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise? Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here, nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota? Ndiko kwamunoti kutsanya here, pazuva rinodikanwa naJehovha? “Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here: Kusunungura ngetani dzokusaruramisira nokusunungura zvitirobho zvejoko, kusunungura vakamanikidzwa nokuvhuna joko rimwe nerimwe? Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara, nokupa varombo vanodzungaira pokugara here, paunoona vakashama, kuvapfekedza, uye kusafuratira venyama neropa rako? Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza, uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza; ipapo kururama kwako kuchakutungamirira, uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure. Ipapo uchadana, Jehovha achakupindura; uchadanidzira uchida rubatsiro, uye iye achati: Ndiri pano. “Kana ukabvisa joko roudzvinyiriri, kutendeka nomunwe nokutaura kwakaipa, uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzara uye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo, ipapo chiedza chako chichabuda murima, uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati. Jehovha achakutungamirira nguva dzose; achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva uye achasimbisa mapfupa ako. Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime, sechitubu chine mvura isingapwi. Vanhu vako vachavakazve matongo akare vachasimudza nheyo dzakare; iwe uchanzi Mugadziri waMasvingo Akakoromoka, Muvandudzi weMigwagwa ine Dzimba. “Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata, uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene, kana ukati Sabata izuva rinofadza, uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa, uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako, uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo, ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha, uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika, uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho.” Muromo waJehovha wazvitaura. Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa, uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa. Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake kwamuri kuti arege kunzwa. Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, minwe yenyu nezvakaipa. Miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa. Hapana anochemera kururamisira; hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka. Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema; vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa. Vanochochonya mazai emvumbi, uye vanoruka dandira redandemutande. Ani naani anodya mazai avo achafa, uye rimwe rikaputsika, panochochonywa nyoka. Matandira avo haabatsiri pakupfeka; havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira. Mabasa avo mabasa akaipa, uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo. Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi; vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva. Mirangariro yavo mirangariro yakaipa; kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo. Nzira yorugare havaizivi; hapana kururamisira pamakwara avo. Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama; hakuna anofamba madziri achaziva rugare. Naizvozvo kururamisira kuri kure nesu, uye kururama hakusviki kwatiri. Tinotsvaka chiedza, asi zvose irima; tinotsvaka kujeka, asi tiri kufamba mumumvuri werima. Sebofu tinotsvanzvadzira tichitevedza madziro, tichitsvaka nzira yedu savanhu vasina meso. Panguva yamasikati tinogumburwa kunge nguva yorubvunzavaeni; pakati pavane simba, tangoita savakafa. Tose tiri kuomba samapere; tinorira nokurira kukuru senjiva. Tinotsvaka kururamisira, asi hatikuwani; tinotsvaka kurwirwa, asi kuri kure kure. Nokuti kutadza kwedu kwawanda pamberi penyu, uye zvivi zvedu zvinotipupurira zvakaipa. Kudarika kwedu kunogara nesu, uye tinobvuma kutadza kwedu: kumukira nokunyengera Jehovha, kufuratira Mwari wedu, kukuchidzira udzvinyiriri nokupanduka, nokutaura mashoko enhema anobva mumwoyo yedu. Naizvozvo kururamisirwa kwadzorerwa shure, uye kururama kwamira kure; chokwadi chakagumburwa munzira dzomumusha, kutendeka hakuchagoni kupinda. Zvokwadi haichawanikwi uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa. Jehovha akatarisa akasafara kuti pakanga pasisina kururamisira. Akaona kuti pakanga pasina munhu, akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, uye kururama kwake kwakamuraramisa. Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso mumusoro make; akashonga nguo dzokutsiva akazviputira mukushingaira kwake seanozviputira nejasi. Sezvavakaita, saizvozvo acharipira hasha kuvavengi vake nokutsiva kuvadzivisi vake; acharipira zvakafanira kuzviwi. Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha, uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake. Nokuti achauya sokudira kworwizi runosundwa nokufema kwaJehovha. “Mudzikinuri achauya kuZioni, kuna avo vari muna Jakobho vanotendeuka pazvivi zvavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako. Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako. Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako. “Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza: vose vanoungana uye vanouya kwauri, vanakomana vako vanobva kure, uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko. Ipapo uchatarisa ugopenya, mwoyo wako uchakwata uye uchazara nomufaro; upfumi huri pamusoro pamakungwa huchauyiswa kwauri, pfuma yendudzi ichauya kwauri. Mapoka engamera achazadza nyika yako, mhuru dzengamera dzeMidhiani neEfa. Uye vose vanobva kuShebha vachauya, vakatakura goridhe nezvinonhuwira vachiparidza kurumbidzwa kwaJehovha. Mapoka eKedhari achaunganidzirwa kwauri makondohwe eNebhayoti achakushumira: achagamuchirwa sezvipo paaritari yangu, uye ndichashongedza temberi yangu yokukudzwa. “Ndivanaani ava vanobhururuka samakore, senjiva dzinoenda kumatendere adzo? Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri; zvikepe zveTashishi zvinotungamira zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure, nesirivha yavo negoridhe, kuzokudza Jehovha Mwari wako, iye Mutsvene waIsraeri, nokuti akakushongedza nokubwinya. “Vatorwa vachavakazve masvingo ako, uye madzimambo avo achakushandira. Kunyange ndakakurova mukutsamwa kwangu, munyasha dzangu ndichakunzwira tsitsi. Masuo ako achagara akashama haachazombozarirwi, masikati kana usiku kuitira kuti vanhu vakuvigire upfumi hwendudzi, madzimambo adzo achafambiswa ari mumudungwe akundwa. Nokuti rudzi kana ushe husingakushumiri huchaparadzwa; huchaparadzwa zvachose. “Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri, mipaini nemifiri nemisipuresi pamwe chete, kuzoshongedza nzvimbo yetemberi yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu. Vanakomana vavamanikidzi venyu vachauya vachikotama pamberi penyu; vose vanokuzvidzai vachapfugama patsoka dzenyu uye vachakutumidzai kuti Guta raJehovha, Zioni roMutsvene waIsraeri. “Kunyange wanga wasiyiwa uye uchivengwa, pasina munhu anopfuura nemauri, ndichakuita kuti ukudzwe nokusingaperi uye uve mufaro wezvizvarwa zvinotevera. Uchanwa mukaka wendudzi uye ucharerwa pamazamu oumambo. Ipapo uchaziva kuti ini, iyeni Jehovha. ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho. Ndichakuvigira goridhe pachinzvimbo chendarira, nesirivha pachinzvimbo chesimbi. Ndichakuvigira ndarira pachinzvimbo chamatanda, nesimbi pachinzvimbo chamabwe. Ndichaita rugare mutongi wako nekururama mubati wako. Kuita nechisimba hakuchazonzwikwi munyika yako, kana dongo kana kuparadzwa mukati memiganhu yako, asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti Ruponeso nemasuo ako kuti Rumbidzo. Zuva harichazovi chiedza chako masikati, uye kupenya kwomwedzi hakungavi pamusoro pako, nokuti Jehovha ndiye achava chiedza chako chisingaperi, uye Mwari wako achava kubwinya kwako. Zuva rako harichazovirizve, uye mwedzi wako hauchazoperizve; Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, uye mazuva okuchema kwako achaguma. Ipapo vanhu vako vose vachava vakarurama, uye vachatora nyika kuti ive yavo nokusingaperi. Ndivo mabukira andakadyara, basa ramaoko angu, kuti ndiratidze kubwinya kwangu. Mudikisa wako achava chiuru, mudiki achava rudzi rune simba. Ndini Jehovha, munguva yacho ndichazviita nokukurumidza.” Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima, kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema, uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake. Vachavakazve matongo akare uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare; vachavandudza matongo amaguta akaparadzwa kwamarudzi namarudzi akapfuura. Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu; vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa. Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha, muchanzi vashumiri vaMwari. Muchadya pfuma yendudzi, uye muchazvirumbidza nepfuma yavo. Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo vanhu vangu vachagamuchira migove miviri, uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo; nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo, uye mufaro usingaperi uchava wavo. “Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira; ndinovenga kupamba nezvakaipa. Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro uye ndichaita sungano isingaperi navo. Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi navana vavo pakati pamarudzi. Vose vanovaona vachaziva kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.” Ndinofara zvikuru muna Jehovha; mweya wangu unofara muna Mwari. Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso, uye akandishongedza nenguo yokururama, sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista, uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha. Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu, nebindu richiita kuti mbeu dzikure, saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo zvimere pamberi pendudzi dzose. Nokuda kweZioni handinganyarari, nokuda kweJerusarema handingarambi ndinyerere, kusvikira kururama kwake kwapenya samambakwedza, noruponeso rwake somwenje unopfuta. Ndudzi dzichaona kururama kwako, namadzimambo ose achaona kubwinya kwako; iwe uchadaidzwa nezita idzva richataurwa nomuromo waJehovha. Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha, ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari. Havachazokutizve Musiyiwa, kana kutumidza nyika yako kuti Dongo. Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha uye nyika yako ichanzi Bhiyura; nokuti Jehovha achakufarira, uye nyika yako icharoorwa. Sejaya zvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; sechikomba chinofarira mwenga, saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako. Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema; havangambonyarari masikati kana usiku. Imi munodana kuna Jehovha, musazorora, uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema, uye ariita rumbidzo yenyika. Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba achiti, “Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu, uye vatorwa havachozonwizve waini itsva yamakatamburira; asi ivo vanokohwa ndivo vachadya uye vacharumbidza Jehovha, uye vaya vanounganidza mazimbiringa ndivo vachainwa mumavazhe eimba yangu tsvene.” Pfuurai, pfuurai napamasuo! Gadzirirai vanhu nzira. Vakai, vakai mugwagwa mukuru! Bvisai mabwe. Simudzirai marudzi mureza. Jehovha akaparidzira kumagumo enyika achiti, “Uti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Muponesi wako ouya! Tarira, mubayiro wake anawo, uye kuripira kwake kunomutevera.’ ” Vachanzi Vanhu Vatsvene, Vakadzikinurwa vaJehovha; uye iwe uchanzi Mutsvakwa, iro Guta Risina Kuzova Dongo. Ndianiko uyu anobva kuEdhomu, anobva kuBhozira, ane nguo dzakatsvuka seropa? Ndianiko uyu, akafuka zvinobwinya, anofamba muukuru hwesimba rake? “Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.” Seiko nguo dzenyu dzakatsvuka sedzomunhu anotsika chisviniro chewaini? “Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kubva kundudzi dzose hapana akanga aneni. Ndakavatsika-tsika mukutsamwa kwangu uye ndakavapwanyira pasi nehasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa nguo dzangu dzose. Nokuti zuva rokutsiva rakanga riri mumwoyo mangu, uye gore rokudzikinura kwangu rasvika. Ndakatarisa, asi pakanga pasina angabatsira, ndakashamiswa nokuti hapana akatsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, uye hasha dzangu dzakanditsigira. Ndakatsika-tsika ndudzi mukutsamwa kwangu; muhasha dzangu ndakaita kuti vadhakwe uye ndakadurura ropa ravo pasi.” Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha, iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha, hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira imba yaIsraeri, nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji. Iye akati, “Zvirokwazvo ndivo vanhu vangu, ivo vanakomana vasingazovi venhema kwandiri,” naizvozvo akava Muponesi wavo. Mumatambudziko avo ose naiyewo akatambudzika, uye mutumwa wokuvapo kwake akavaponesa. Murudo rwake nengoni akavadzikinura; akavasimudza uye akavatakura mazuva ose akare. Asi vakamumukira vakachemedza Mweya wake Mutsvene. Saka akadzoka akava muvengi wavo, uye iye amene akarwa navo. Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, mazuva aMozisi navanhu vake, vakati, aripiko akavayambutsa gungwa, nomufudzi wamakwai ake? Aripiko akaisa Mweya wake Mutsvene pakati pavo, iye akavatumira ruoko rwake rwokukudzwa nesimba kuti ruve paruoko rworudyi rwaMozisi, iye akaparadzanisa mvura pamberi pavo, kuti azviwanire kukudzwa kusingaperi, iye akavatungamirira nomakadzika? Sebhiza murenje, havana kugumburwa; semombe dzinoburukira kubani, vakapiwa zororo noMweya waJehovha. Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu kuti muzviitire zita rine mukurumbira. Tarirai pasi muri kudenga uye muone, kubva pachigaro chenyu chakakwirira chitsvene uye chinobwinya. Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviripiko? Unyoro hwenyu netsitsi dzenyu zvakabviswa kwatiri. Asi muri Baba vedu, kunyange Abhurahama asingatizivi kana naIsraeri asingatiziviwo; imi, Jehovha, ndimi Baba vedu, Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu. Haiwa Jehovha, munotiregerereiko tichidzungaira, kubva panzira dzenyu muchiomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu. Kwenguva duku vanhu venyu vakatora nzvimbo yenyu tsvene, asi zvino vavengi vedu vakatsikira pasi nzvimbo yenyu tsvene. Isu tiri venyu kubva kare; asi ivo hamuna kumbovatonga, havana kumbodaidzwa nezita renyu. Haiwa, dai maibvarura matenga mukaburuka pasi, kuti makomo adedere pamberi penyu! Sezvinoita moto paunopisa tsotso uchiita kuti mvura ivire, burukai muzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu, uye muite kuti ndudzi dzidedere pamberi penyu! Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira, makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu. Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa, hakuna nzeve yakanzwa, hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu, angabatsira avo vanomumirira. Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama, vanorangarira nzira dzenyu. Asi patakaramba tichivatadzira imi makatsamwa. Zvino tingaponeswa seiko? Isu tose tafanana nousina kuchena, uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina; isu tose tinooma seshizha, semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure. Hakuna anodana kuzita renyu anoshingairira kuti akubatei; nokuti makativanzira chiso chenyu mukaita kuti titsakatike nokuda kwezvivi zvedu. Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri muumbi; isu tose tiri basa ramaoko enyu. Regai kutsamwa zvikuru imi Jehovha; regai kurangarira zvivi zvedu nokusingaperi. Haiwa Jehovha, ringirai kwatiri, tinokumbira, nokuti tose tiri vanhu venyu. Maguta enyu matsvene ava renje; kunyange Zioni irenje, Jerusarema rava dongo. Temberi yedu tsvene inobwinya, umo madzibaba edu aikurumbidzai, yakapiswa nomoto, uye nzvimbo dzose dzataikoshesa dzaparara. Haiwa Jehovha, mushure maizvozvi mungazvidzorawo here? Mucharamba munyerere, uye mugotiranga zvinopfuura mwero here? “Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza; ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka. Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano.’ Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu kurudzi rwakasindimara, vanofamba munzira dzisina kunaka vachitevera zvavanofunga, vanhu vanogara vachindigumbura ipo pamberi pangu chaipo, vachibayira zvibayiro pamapindu nokupisira zvinonhuwira paaritari dzezvitinha; vanogara pakati pamarinda uye vanopedza usiku hwavo vachinyengetera vari munzira yakavanda: vanodya nyama yenguruve, uye hari dzavo dzine mvura yenyama yakasvibiswa; vanoti, ‘gara kure; usaswedera pedyo neni, nokuti ndiri mutsvene kwauri.’ Vanhu vakadaro utsi mumhuno dzangu, moto unoramba uchipfuta zuva rose. “Tarirai, zvakanyorwa pamberi pangu zvinoti: Handinganyarari asi ndicharipira zvakazara; ndichazviripa pamakumbo avo, zvakaipa zvenyu nezvamadzibaba enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti vakapisira zvibayiro pamusoro pezvikomo, ndichayera pamakumbo avo muripo wakazara wamabasa avo akare.” Zvanzi naJehovha, “Sezvazvakangoita kana musvi uchiri kuwanikwa musumbu ramazambiringa uye vanhu vachiti, ‘Musauparadza, muchine zvakanaka mauri,’ saizvozvo ndizvo zvandichaitira varanda vangu; handingavaparadzi vose. Ndichabudisa marudzi kuna Jakobho, uye kubva kuna Judha avo vachatora makomo angu; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, uye varanda vangu vachagara ikoko. Sharoni richava mafuro amakwai, uye Mupata weAkori uchava uvato hwemombe dzavanhu vangu vanonditsvaka. “Asi kana murimi munosiya Jehovha uye munokanganwa gomo rangu dzvene, munowaridzira Rombo Rakanaka tafura, uye munozadza zvirongo newaini yakavenganisirwa Magumo, ndichakugumisai nomunondo, uye mose muchakotamira pasi kuti mubayiwe, nokuti ndakadana asi hamuna kudavira, ndakataura asi hamuna kuteerera. Makaita zvakaipa pamberi pangu mukasarudza zvisingandifadzi.” Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Varanda vangu vachadya, asi imi muchanzwa nzara; varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa. Varanda vangu vachaimba mufaro wemwoyo yavo, asi imi muchachema nokurwadziwa nomwoyo uye muchaungudza mukuputsika kwomweya. Muchasiyira zita renyu kuvasanangurwa vangu sechituko; Ishe Jehovha achakuurayai, asi achapa varanda vake rimwe zita. Ani naani achati nyika iropafadzwe achazviita naMwari wechokwadi; ani naani achaita mhiko munyika achapika naMwari wechokwadi. Nokuti matambudziko akare achakanganwikwa, uye achavanzirwa meso angu. “Tarirai, ndichasika matenga matsva nenyika itsva. Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi, kana kuuya mundangariro. Asi farai mupembere nokusingaperi mune zvandichasika, nokuti ndichasika Jerusarema kuti rifadze uye kuti vanhu varo vave mufaro. Ndichapembera pamusoro peJerusarema, uye ndichafarira vanhu vangu; maungira okuchema kana kurira haachazonzwikizve imomo. “Mariri hamungazovizve nomucheche achararama mazuva mashoma shoma, kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama; uyo anofa ane zana ramakore achangotorwa somujaya; uyo anotadza kusvika pazana ramakore achatorwa sowakatukwa. Vachavaka dzimba vagogara madziri; vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo. Havachazovakizve dzimba dzinozogarwa, navamwe, kana kudyara vamwe vachizodya. Nokuti sezvakaita mazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu mumabasa amaoko avo. Havachazobatiri pasina kana kubereka vana vanoparadzwa; nokuti vachava vanhu vakaropafadzwa naJehovha, ivo nezvizvarwa zvavo. Vasati vadana ndichavapindura; vachiri kutaura ndichavanzwa. Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe, asi guruva richava chokudya chenyoka. Hazvichazokuvadzi kana kuparadza pamusoro pegomo rangu dzvene rose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvanzi naJehovha, “Denga ndicho chigaro changu, uye nyika chitsiko chetsoka dzangu. Ko, iripi imba yamungandivakira? Nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko? Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here, nokudaro zvikavapo?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Munhu akadai ndiye wandichakudza: iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika, uye anodedera paanonzwa shoko rangu. Asi ani naani anobayira hando anofanana nouyo anovhuna mutsipa wembwa; ani naani anoita chipiriso chezviyo anofanana nomunhu anopa ropa renguruve, uye ani naani anopisira zvinonhuwira zvokurangaridza, anofanana nounonamata chifananidzo. Vakasarudza nzira dzavo, uye mweya yavo inofarira zvinonyangadza zvavo; naizvozvo neniwo ndichavasarudzira kuranga kuchavaomera, uye ndichauyisa pamusoro pavo izvo zvavanotya. Nokuti pandakadana, hapana akapindura pandakataura, hapana akateerera. Vakaita zvakaipa pamberi pangu vakasarudza zvakanga zvisingandifadzi.” Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera pamunonzwa shoko rake: “Hama dzenyu dzinokuvengai, uye dzinokutsaurai nokuda kwezita rangu, dzakati, ‘Jehovha ngaaratidze kukudzwa kwake, kuti tione mufaro wenyu!’ Asi ivo vachanyadziswa. Inzwai maungira ebope anobva muguta, inzwai mheremhere inobva mutemberi! Ndiwo maungira aJehovha achiripira vavengi vake zvose zvavakakodzera. “Asati arwadziwa nemimba, anosununguka; kurwadza kusati kwauya pamusoro pake, anosununguka mwanakomana. Ndiani akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe here kana rudzi rungazvarwa pakarepo here? Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa, pakarepo ndokubereka vana varo. Ndingasvitsa panguva yokubereka ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, ndingazarira chizvaro ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu. “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise, imi mose munorinda; farisisai pamwe chete naro, imi mose munochema pamusoro paro. Nokuti muchanwa mukaguta pamazamu ake anonyaradza; muchanwa zvikuru kwazvo muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.” Nokuti zvanzi naJehovha, “Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi, uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova; muchanwa uye muchatakurwa paruoko rwake, uye muchavaraidzwa pamabvi ake. Samai vanonyaradza mwana wavo, saizvozvo ndichakunyaradzai; uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.” Pamuchaona izvozvo, mwoyo wenyu uchafara, uye muchaita bumhudza sebundo; ruoko rwaJehovha rucharatidzwa kuvaranda vake, asi hasha dzake dzicharatidzwa kuvavengi vake. Tarirai, Jehovha ari kuuya nomoto, uye ngoro dzake dzakaita sechamupupuri; achaburutsa kutsamwa kwake nehasha huru, uye kutuka kwake nomurazvo womoto. Nokuti nomoto uye nomunondo wake Jehovha achatonga vanhu vose, uye vazhinji vachava vaya vanourayiwa naJehovha. “Vaya vanozvinatsa nokuzvichenesa kuti vaende mumapindu, vachitevera munhu ari pakati paavo vanodya nyama yenguruve nembeva uye nezvimwe zvinhu zvinonyangadza, magumo avo achava mamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ini nokuda kwamabasa avo nepfungwa dzavo, ndiri kuuya kuzounganidza marudzi ose nendimi dzose; vachauya uye vachaona kubwinya kwangu. “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatumira vamwe vavakapunyuka kundudzi, kuTashishi, nokuvaRibhiya navaRidhia (vane mbiri yokuwembura uta), nokuTubhari nokuGirisi, nokuzviwi zviri kure zvisina kumbonzwa nezvembiri yangu kana kuona kubwinya kwangu. Vachaparidza kubwinya kwangu pakati pendudzi. Uye vachauyisa hama dzenyu dzose, kubva kundudzi dzose, kugomo rangu dzvene muJerusarema, sechipo kuna Jehovha, pamusoro pamabhiza, nomungoro uye mungoro dzina matenga, napamahesera uye napangamera,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachazviuyisa, savaIsraeri vanouyisa zvipiriso zvavo zvezviyo, kutemberi yaJehovha mumidziyo yakacheneswa. Ipapo ndichasarudza vamwe vavo kuti vave vaprista navaRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti sezvakaita matenga matsva nenyika itsva zvandinoita zvichazogara pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo zita renyu nezvizvarwa zvenyu zvichagara. Kubva paKugara kwoMwedzi kusvikira kuno mumwe, uye kubva paSabata rimwe kusvikira kune rimwe, marudzi ose achauya kuzokotama pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvaavo vaindimukira; honye yavo haizofi, moto wavo haungadzimwi, uye vachasemesa vanhu vose.” Mashoko aJeremia mwanakomana waHirikia, mumwe wavaprista paAnatoti munyika yaBhenjamini. Shoko raJehovha rakauya kwaari mugore regumi namatatu rokutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha, uye nomunguva yokutonga kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, kusvikira pamwedzi wechishanu wegore regumi nerimwe raZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, vanhu veJerusarema pavakazoenda kuutapwa. Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe, usati waberekwa, ndakakutsaura; ndakakugadza somuprofita kumarudzi.” Ini ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu.” Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira. Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu akati kwandiri, “Zvino ndaisa mashoko angu mumuromo mako. Tarira, nhasi ndakugadza pamusoro pendudzi napamusoro poushe kuti udzure nokubvarura, nokuparadza, nokukoromora, nokuvaka uye nokusima.” Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Jeremia, uri kuonei?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona davi romuti womuarimondi.” Jehovha akati kwandiri, “Waona zvakanaka, nokuti ndiri kutarira kuti ndione kuzadziswa kweshoko rangu.” Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti, “Uri kuoneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona hari iri kuvira, yakarerekera kubva kumusoro.” Jehovha akati kwandiri, “Njodzi ichadururirwa pamusoro pavanhu vagere munyika ichibva nokumusoro. Nokuti iye zvino ndiri kudana vanhu vose voushe hwokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Madzimambo avo achauya achizoisa zvigaro zvavo zvoushe pamasuo eJerusarema; vachauya kuzorwisa masvingo aro ose akarikomberedza uye namaguta ose eJudha. Ndichareva zvandakatonga pamusoro pavanhu vangu nokuda kwezvakaipa zvavo zvavakaita vachindisiya, vachipisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari nokunamata zvakaumbwa namaoko avo. “Iwe chigadzirira! Simuka uvataurire zvose zvandinokurayira. Usavhundutswa navo, kuti ini ndirege kuzokuvhundutsa pamberi pavo. Nhasi ndakuvakira guta rakakomberedzwa nembiru yesimbi namasvingo endarira, kuti urwe nenyika yose, urwe namadzimambo eJudha, namachinda avo, navaprista vavo uye navanhu venyika. Vacharwa newe asi havangakukundi, nokuti ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti: ‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako, kuti somwenga waindida sei nokunditevera nomukati merenje, nomunyika isina kumbodyarwa. Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha, ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake; vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva, uye njodzi yakavawira,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. Inzwai shoko raJehovha imi imba yaJakobho, nemi mose vorudzi rweimba yaIsraeri. Zvanzi naJehovha, “Madzibaba enyu akawana mhosva yei kwandiri, zvavakaenda kure neni? Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo vakava vasina maturo pachavo. Havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko, iye akatibudisa munyika yeIjipiti akatitungamirira nomugwenga risina miti, nomunyika yamarenje namakoronga, iyo nyika yakaoma uye yerima, nyika isina munhu anofambamo uye isina munhu anogaramo?” Ndakakupinzai munyika yakaorera kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo. Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza. Vaprista havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko?’ Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva; vatungamiriri vakandimukira. Vaprofita vakaprofita naBhaari, vachitevera zvifananidzo zvisina maturo. “Naizvozvo ndinokupai mhosva zvakare,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichapazve mhosva vana vavana venyu. Yambukirai kumiganhu yeKitimi muone, tumai vanhu kuKedhari mugonyatsocherechedza; muone kana pakambova nechimwe chinhu chakadai: Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here? Uye havasi vamwari zvachose. Asi vanhu vangu vakatsinhanhisa kukudzwa kwavo nezvifananidzo zvisina maturo. Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi, uye mudedere nokutya kukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura. Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa? Nemhaka yeiko apambwa zvino? Shumba dzakaomba; dzikanguruma kwaari. Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi vakaveura musoro wako. Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here pawakasiya Jehovha Mwari wako paakanga achikutungamirira munzira? Zvino, unoendereiko kuIjipiti kundonwa mvura inobva Shihori? Uye unodireiko kuenda kuAsiria kundonwa mvura inobva murwizi? Zvakaipa zvako zvichakuranga; kudzokera shure kwako kuchakutuka. Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa sei uye zvinovava sei kwauri, ukange wasiya Jehovha Mwari wako, uye usingandityi,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose. “Wakavhuna joko rako kare kare uye wakadambura makashu ako; ukati, ‘Handidi kukushumirai!’ Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga, uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira, wakarara pasi pawo sechifeve. Ndakanga ndakusima somuzambiringa wakanakisa, uri mbeu kwayo inovimbika. Ko, zvino wakazondishandukira sei ukava muzambiringa webundo wakaora? Kunyange ukazvishambidza nesoda uchishandisa sipo yakawanda, gwapa remhosva yako rinoramba riri mberi kwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari. “Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa; handina kutevera Bhaari’? Tarisa zvawakaita mumupata; funga zvawakaita. Iwe uri ngamera yehadzi inomhanya apa nepapo, uri mbizi yakarovedzwa mugwenga, inofembedza mhepo mukushuva kwayo; ndiani angaidzora pakupfumvura kwayo? Mukono upi noupi unoitevera haufaniri kuzvinetesa; panguva yokusangana uchaiwana. Usamhanya kusvikira tsoka dzako dzisisina shangu nehuro yako yava nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri! Ndinoda vamwari vokumwe, uye ndinofanira kuvatevera.’ “Sokunyadziswa kwembavha yabatwa, saizvozvo imba yaIsraeri yanyadziswa, ivo namadzimambo avo uye namachinda avo, vaprista vavo navaprofita vavo. Vanoti kudanda, ‘Ndiwe baba vangu,’ uye kuibwe, ‘Ndiwe wakandibereka.’ Vakandifuratira ini asi zviso zvavo hazvina, nyamba pavanenge vava munhamo, vanoti kwandiri, ‘Uyai mutiponese!’ Ko, zvino vamwari vamakazviitira varipi? Ngavauye kana vachigona kukuponesai pamunenge mava munhamo! Nokuti muna vamwari vakawanda kupfuura maguta amunawo, imi Judha. “Nemhaka yeiko muchindipa mhosva? Imi mose makandimukira,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndakaranga vana venyu pasina; havana kuteerera kurangwa. Munondo wenyu wakamedza vaprofita, kufanana neshumba inoparadza. “Haiwa, imi vorudzi urwu, rangarirai Shoko raJehovha rinoti: “Ndanga ndiri renje kuna Israeri here kana nyika yerima guru? Ko, vanhu vangu vanotaurireiko vachiti, ‘Takasununguka kuenda kwatada; hatichazouyizve kwamuri?’ Ko, murandakadzi angakanganwa zvishongo zvake here, nomwenga angakanganwa nguo dzake dzomuchato here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa ini, mazuva asingaverengeki. Mune ruzivo rwakadii pakutevera rudo! Kunyange vakadzi vakaipisisa vangadzidza kubva panzira dzenyu. Panguo dzako vanhu vanowanapo ropa ravarombo vasina mhaka, kunyange usina kuvabata vachipaza. Asi kunyange zvakadaro unoti, ‘Handina mhosva; uye haana kunditsamwira.’ Asi ndichatema mutongo wangu pauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’ Ko, unofambireiko pose pose zvakadai, uchishandura nzira dzako? Iwe uchagumburwa neIjipiti, sezvawakaitwa neAsiria. Uchabvawo panzvimbo iyoyo wakaisa maoko ako pamusoro pako, nokuti Jehovha akaramba vose vaunovimba navo; iwe hauchazobatsirwi navo. “Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume, murume uyu angadzokerazve kwaari here? Ko, nyika haingasvibiswi here? Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji, zvino ungadzokera kwandiri here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone. Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve? Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba, wakagara kunge vanhu vouragu vari murenje. Wakasvibisa nyika noufeve hwako uye nezvakaipa zvako. Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, uye nemvura yomuchirimo haina kunaya. Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti, “Baba vangu, shamwari yangu kubva pauduku hwangu, muchagara makatsamwa here? Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’ Aya ndiwo matauriro ako, asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita. Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo. Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye munun'una wake Judha wokusatendeka akazviona. Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha munun'una wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve. Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda. Kunyange izvi zvakadaro, munun'una wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Jehovha akati kwandiri, “Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka. Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti, “ ‘Dzokai imi Israeri vokusatenda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘Handichazorambi ndakafinyamisa chiso changu kwamuri, nokuti ndizere nengoni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi. Imi zivai mhosva yenyu chete, kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu, mukafadza vamwari vavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira, uye hamuna kunditeerera,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni. Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa. Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve. Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa. Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka. “Ini pachangu ndakati, “ ‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu uye ndichikupai nyika inoyevedza, iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’ Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’ mukasazotsauka pakunditevera. Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake, saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti, iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri, nokuti vakaminamisa nzira dzavo uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo. “Dzokai, imi vanhu vokusatenda; ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.” “Hongu, tichauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu. Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo, napamakomo unyengeri; zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu ndimo mune ruponeso rwaIsraeri. Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya zvibereko zvamabasa amadzibaba edu, makwai avo, nemombe dzavo, vanakomana navanasikana vavo. Ngativatei pasi munyadzi dzedu, uye kunyara kwedu ngakutifukidze. Takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu tose namadzibaba edu; kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.” “Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka, dzokai kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyu zvinonyangadza uye mukasarasikazve, kana mukapika muchokwadi, nokururama uye nenzira yakarurama muchiti: ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.” Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema: “Zviundirei gombo idzva murege kudyara pakati peminzwa. Zvidzingisirei kuna Jehovha, dzingisai mwoyo yenyu, imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema, kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, iko kupisa kusina angakudzima. “Zivisai munyika yaJudha uye muparidze muJerusarema muchiti, ‘Ridzai hwamanda munyika yose!’ Danidzirai nesimba muchiti: ‘Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa!’ Simudzai mureza wokuenda kuZioni! Tizai muvande musinganonoki! Nokuti ndiri kuuyisa njodzi inobva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.” Shumba yabuda mudenhere rayo; muparadzi wendudzi abuda. Asiya nzvimbo yake kuti aparadze nyika yenyu. Maguta enyu achava matongo pasina achagaramo. Naizvozvo pfekai masaga, chemai muungudze, nokuti kutsamwa kwaJehovha kunotyisa hakuna kubva kwatiri. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mambo namachinda vachaora mwoyo, vaprista vachatyiwa, uye vaprofita vachanyangadzwa.” Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha, makanyengera kwazvo vanhu ava neJerusarema muchiti, ‘Muchava norugare,’ nyamba munondo uri pahuro dzedu.” Panguva iyoyo vanhu ava neJerusarema vachaudzwa kuti, “Mhepo inopisa inobva kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti mugwenga inovhuvhuta yakananga vanhu vangu, asi isingasarudzi kana kunatsa; mhepo ine simba kwazvo kudarika iyoyo ichabva kwandiri. Zvino ndiwo wava mutongo wangu pamusoro pavo.” Tarirai! Ari kuuya samakore, ngoro dzake dzinouya sechamupupuri, mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo, Tine nhamo! Taparara! Haiwa Jerusarema, shamba zvakaipa zviri mumwoyo mako ugoponeswa. Ucharamba uchingoviga pfungwa dzako dzakaipa kusvikira riini? Inzwi rinodanidzira richibva kuDhani, richizivisa nezvenjodzi inobva kuzvikomo zveEfuremu. “Zivisai izvi kundudzi, zviparidzei kuJerusarema muchiti: ‘Hondo ichakukombai iri kuuya ichibva kunyika iri kure, ichidanidzira zvehondo yokurwisa maguta eJudha. Vanorikomba savanhu vakarinda munda, nokuti rakandimukira,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Tsika dzako namabasa ako ndizvo zvauyisa izvi pamusoro pako. Ichi ndicho chirango chako. Haiwa, zvinovava sei! Haiwa, zvinobaya sei mwoyo!” Maiwe, kurwadziwa kwangu, kurwadziwa kwangu! ndiri kubidirika nokurwadziwa. Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu! Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari. Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda; ndanzwa mheremhere yehondo. Njodzi inotevera njodzi; nyika yose yava dongo. Kamwe kamwe, matende angu aparadzwa, musha wangu nenguva diki diki, Ndicharamba ndichiona mureza wehondo kusvikira riniko, uye ndichanzwa kurira kwehwamanda kusvikira riniko? “Vanhu vangu mapenzi; havandizivi ini. Vana vasina pfungwa; havanzwisisi. Vakangwarira kuita zvakaipa; havazivi kuita zvakanaka.” Ndakatarira nyika, yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; uye nokumatenga, chiedza chawo chakanga chisisipo. Ndakatarira pamakomo, tarirai, aidengenyeka; zvikomo zvose zvaizeya. Ndakatarira, ipapo pakanga pasina vanhu; shiri dzose dzedenga dzakanga dzabhururuka dzikaenda kure. Ndakatarira, ndokuona nyika yaibereka zvibereko yava gwenga; maguta ayo ose ava matongo pamberi paJehovha, pamberi pehasha dzake dzinotyisa. Zvanzi naJehovha, “Nyika yose ichaparadzwa, kunyange hangu ndisingazoiparadzi zvachose. Naizvozvo nyika ichachema uye matenga kumusoro achava rima nokuti ndini ndazvitaura uye handingaregi kuzviita, ndini ndazvisarudza uye handingadzokeri shure.” Paanonzwa kutinhira kwavatasvi vamabhiza nokwavawemburi vouta, maguta ose anotiza. Vamwe vanopinda mumatenhere; vamwe vanokwira pakati pamatombo. Maguta ose asara asina munhu; hapana anogaramo. Uchaiteiko, iwe wokuparadzwa? Wapfekereiko nguo tsvuku, nokushonga zvishongo zvegoridhe? Wazorereiko meso ako pendi? Unongozvishongedzera pasina. Zvikomba zvako zvinokushora; zvinotsvaka kukuuraya. Ndiri kunzwa kuchema sokwomukadzi anorwadziwa pakusununguka, kugomera sokwomukadzi opona dangwe rake, kuchema kwoMwanasikana weZioni ari kufemedzeka, achitambanudza maoko ake achiti, “Maiwe! Ndoziya; upenyu hwangu hwaiswa kuvaurayi.” “Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema, tarirai pose pose mugofunga, tsvakai muzvivara zvaro muone kana mukawana kana munhu mumwe anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi, ipapo ndicharegerera guta iri. Kunyange vachiti havo, ‘NaJehovha mupenyu,’ vanenge vachingopika nhema.” Haiwa Jehovha, meso enyu haatsvaki chokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; Makavapwanya, asi vakaramba kurayirwa. Vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo uye vakaramba kutendeuka. Ndakafunga ndikati, “Ava varombo bedzi; mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, nezvinodikanwa naMwari wavo. Naizvozvo ndichaenda kuvatungamiri ndigotaura navo; zvirokwazvo vanoziva nzira yaJehovha, zvinodiwa naMwari wavo.” Asi nomwoyo mumwe, naivowo vakanga vavhuna joko, vakadambura makashu. Saka shumba inobva musango ichavauraya, bere rinobva mugwenga richavabvambura, ingwe ichavavandira pedyo namaguta avo kuti ibvamburanye vose vanobudamo, nokuti kundimukira kwavo kukuru uye kudzokera shure kwavo kwawanda. “Ndingakukanganwirai seiko? Vana venyu vakandisiya, uye vakapika navamwari vasati vari vamwari. Ndakavapa zvose zvavaishayiwa, asi ivo vakaita ufeve vakandoungana kudzimba dzezvifeve. Ivo mabhiza anodya achiguta azere ruchiva, mumwe nomumwe achidokwairira mukadzi womumwe. Ko, handingavarangi nokuda kwaizvozvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai? “Endai nomuminda yavo yamazambiringa muiparadze, asi musaiparadza zvachose. Bvisai matavi awo, nokuti vanhu ava havazi vaJehovha. Imba yaIsraeri neimba yaJudha vanga vasina kutendeka kwandiri zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Vakarevera Jehovha nhema, vachiti, “Haana chaachaita! Hakuna chakaipa chichaitika kwatiri; hatichazombooni hondo kana nzara. Vaprofita vangova mhepo, uye shoko harimo mavari. Saka zvavanotaura ngazviitwe kwavari.” Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: “Nokuti vanhu vakataura mashoko aya, ndichaita kuti mashoko angu ave moto mumuromo mako, uye vanhu ava kuti vave huni dzinopiswa nawo. “Haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, ndiri kuuyisa rudzi runobva kure kuzokurwisai, rudzi rwakare kare uye rudzi rwakashinga, vanhu vane rurimi rwamusinganzwi, vano mutauro wamusinganzwisisi. Magoba avo akafanana neguva rakashama; vose zvavo varwi vane simba. Vachadya zvamakakohwa nezvokudya zvenyu, vachauraya vanakomana navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu, vachadya mazambiringa namaonde enyu. Vachaparadza nomunondo, maguta enyu akakomberedzwa iwo amunovimba nawo. “Kunyange mumazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingakuparadzei zvachose. Zvino kana vanhu vakabvunza kuti, ‘Ko, Jehovha Mwari wedu aitirei izvi kwatiri?’ imi muchavaudza kuti, ‘Sezvo makandisiya mukandoshumira vamwari vavatorwa munyika yenyu chaiyo, saizvozvowo zvino muchashandira vatorwa munyika isiri yenyu.’ “Zivisai izvi kuimba yaJakobho mugozviparidza maJudha muchiti: Inzwai izvi imi mapenzi navanhu vasina pfungwa, vana meso, asi vasingaoni, vane nzeve, asi vasinganzwi: Ko, hamufaniri kunditya here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, hamufaniri kudedera pamberi pangu here? Ndakaita jecha kuti rive muganhu wegungwa, muganhu warisingadariki nokusingaperi. Mafungu angafashama, asi haangakundi; angavirima asi haangaudariki. Asi vanhu ava vane mwoyo yakasindimara uye inondimukira; vakatsauka vakaenda kure. Havati mumwoyo yavo, ‘Ngatityei Jehovha Mwari wedu, anotipa mvura yaMatsutso neyoMunakamwe nenguva yayo, anotitsidzira mavhiki akatarwa okukohwa. Zvakaipa zvenyu zvakadzingira izvi kure; zvivi zvenyu zvakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zviuye kwamuri. Pakati pavanhu vangu pana vanhu vakaipa vanovandira kufanana savanhu vanoteya shiri nougombe. uye savaya vanoisa misungo yokubata vanhu. Sedendere rizere neshiri, dzimba dzavo dzizere nokunyengera; vapfuma uye vava nesimba, uye vafuta uye vobwinya. Zvakaipa zvavo hazvina magumo. havatambi mhaka dzenherera kuti vakunde, havadziviriri kodzero dzavarombo. “Ko, handifaniri kuvaranga pane zvizvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai? “Chinhu chinosemesa uye chinovhundutsa chaitika panyika. Vaprofita vanoprofita nhema, vaprista vanotonga nesimba ravo uye vanhu vangu vanofarira izvozvo. Asi muchaiteiko pakupedzisira? “Tizai kuti murarame, imi vana veBhenjamini! Tizai mubve muJerusarema! Ridzai hwamanda muTekoa! Simudzai chiratidzo pamusoro peBheti-Hakeremu! Nokuti njodzi yava pedyo ichibva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa. Ndichaparadza mwanasikana weZioni, akanakisa uye anoyevedza. Vafudzi namapoka amakwai avo vachauya kwaari; vachadzika matende avo vakamukomba, mumwe nomumwe achifudza chikamu chake.” Gadzirirai kurwa naye! Simukai, ngatimurwisei masikati! “Asi, yowe-e, zuva rovira, uye mimvuri yamadekwana yoreba. Naizvozvo simukai, ngatimurwisei usiku, uye tiparadze nhare dzake!” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Temerai miti pasi, mugovakira Jerusarema mirwi yokurikomba. Guta iri rinofanira kurangwa; rizere nokumanikidza. Setsime rinoeredza mvura yaro, saizvozvo Jerusarema rinodurura zvakaipa zvaro. Kuita nechisimba nokuparadza zvinonzwika mariri, kurwara kwaro namavanga zvinoramba zviri pamberi pangu. Inzwa yambiro, iwe Jerusarema, kuti ndisakufuratira ndikaita nyika yako dongo, kuti isava nomunhu angagara mairi.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ngavatanhe zvakasara zvaIsraeri vatanhe zvachose samazambiringa; utambanudzirezve ruoko rwako kumatavi, sezvinoita munhu anounganidza mazambiringa.” Ndingataura naaniko andingayambira? Ndianiko achandinzwa? Nzeve dzavo dzakadzivirwa kuti varege kunzwa. Shoko raJehovha chigumbuso kwavari; havawani mufaro mariri. Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha, uye handichagoni kuzvidzora. “Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete; vose murume nomukadzi vachabatwa imomo, navatana, vaya vabva zera. Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, vakadzi vavo pamwe chete neminda yavo navakadzi vavo, pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera. Vanosunga ronda ravanhu vangu sokunge vasina kukuvara zvikuru. Vanoti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare. Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here? Kwete, havana nyadzi zvachose; havambozivi kuratidza nyadzi. Naizvozvo vachawira pakati pavakawa; vachadzikiswa pandichavaranga,” Ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvanzi naJehovha, “Mirai pamharadzano dzenzira muone; mubvunze nzira dzekare, mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi, ipapo muchawana zororo romweya yenyu. Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’ Ndakagadza nharirire pamusoro penyu ndikati, ‘Teererai inzwi rehwamanda!’ Asi imi makati, ‘Hatizoteereri.’ Naizvozvo inzwai, imi Israeri, nemi zvapupu, cherechedzai zvichaitika kwavari. Inzwa, iwe nyika: Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava, icho chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu, uye vakaramba murayiro wangu. Ndine hanya yeiko nezvinonhuwira zvinobva kuShebha, kana karamisi inotapira inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi; zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.” Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Ndichaisa zvipinganidzo pamberi pavanhu ava. Madzibaba navanakomana vachagumburwa nazvo pamwe chete, vavakidzani neshamwari vachaparara.” Zvanzi naJehovha, “Tarirai, hondo iri kuuya kubva kunyika yokumusoro; rudzi rukuru rwuri kumutswa kubva kumigumo yenyika. Vakapakata uta nepfumo; vane utsinye uye havana ngoni. Vanonzwikwa somutinhiro wegungwa vakatasva mabhiza avo; vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondo kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.” Takanzwa guhu ravo, uye maoko edu oshayiwa simba. Tabatwa nokurwadziwa, kurwadziwa kwakaita sokwomukadzi ari kusununguka. Regai kuenda kumunda, kana kufamba mumigwagwa, nokuti muvengi ano munondo, uye kumativi ose kune zvinotyisa. Haiwa, vanhu vangu, pfekai masaga mugoumburuka mumadota; chemai nokuchema kukuru kwazvo kunge munochemera mwanakomana mumwe chete, nokuti muparadzi achatiwira pakarepo. “Ndakakuita muedzi wamatare navanhu vangu mhangura, kuti ucherechedze nokuedza nzira dzavo. Vose vamukiri vakaoma mwoyo, vanongofamba-famba vachiita makuhwa. Ivo indarira nesimbi; vose vanoita zvakaora. Mvuto inovhutira zvinotyisa kuti ipise mutobvu nomoto, asi kunatswa kunongova pasina; nokuti vakaipa havangabviswi. Vanonzi sirivha yakarambwa, nokuti Jehovha akavaramba.” Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha: “Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzepo shoko iri rokuti: “ ‘Inzwai shoko raJehovha imi mose vanhu veJudha vanopinda napamasuo aya kuzonamata Jehovha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Shandurai nzira dzenyu namaitiro enyu, ndigokugarisai munzvimbo ino. Musavimba namashoko anonyengedza muchiti, “Iyi ndiyo temberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha!” Kana mukashandura chaizvoizvo nzira dzenyu namaitiro enyu mukaitirana zvakarurama, kana mukasamanikidza vatorwa, nenherera kana chirikadzi uye mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, uye kana mukasatevera vamwe vamwari muchizvipinza munjodzi, ipapo ndichakugarisai munzvimbo ino, munyika yandakapa madzitateguru enyu nokusingaperi-peri. Asi tarirai, munovimba namashoko okunyengera asina maturo. “Mungaba nokuuraya, nokuita upombwe nokupika nhema, muchipisira zvinonhuwira kuna Bhaari nokutevera vamwe vamwari vamusina kumboziva, ndokuzouya zvino momira pamberi pangu muimba ino, iyo ine Zita rangu, muchiti, “Takasungunurwa,” makasunungurwa kuti muite izvi zvose zvinonyangadza here? Ko, imba ino, inodanwa neZita rangu, yava bako ramakororo here? Asika, ndanga ndichizviona! ndizvo zvinotaura Jehovha. “ ‘Chiendai zvino kunzvimbo iri muShiro pandakagarisa Zita rangu pakutanga mugoona zvandakuitirai nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Israeri. Pamakanga muchiita zvinhu zvose izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndakataura nemi ndataurazve asi hamuna kuteerera; ndakakudanai asi hamuna kupindura. Naizvozvo, zvandakaitira Shiro ndizvo zvandichaita iye zvino kuimba inodanwa neZita rangu, iyo temberi yamunovimba nayo, nzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu. Ndichakubvisai pamberi pangu sezvandakaita kuhama dzenyu dzose, ivo vanhu vaEfuremu.’ “Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvareverera; usavakumbirira kwandiri, nokuti handingakunzwi. Hauoni here zvavari kuita mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema? Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, uye madzimai anokanya furawu ndokuitira Mambokadzi woKudenga makeke echingwa. Asi ndini here wavanotsamwisa? ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko, hakuzi kuzvikuvadza pachavo here kuti vanyadziswe? “Naizvozvo Ishe Jehovha anoti: Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa pamusoro penzvimbo iyi, pamusoro pavanhu nezvipfuo, napamusoro pemiti yesango napamusoro pezvibereko zvevhu, uye zvichatsva zvikasadzimwa. “ ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Endererai mberi, wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pamusoro pezvimwe zvibayiro mugodya nyama yacho pachenyu! Nokuti pandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti ndikataura navo, handina kungovapa mirayiro pamusoro pezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, asi ndakavapa murayiro uyu wokuti nditeererei, uye ndichava Mwari wenyu nemi muchava vanhu vangu. Mufambe munzira dzose dzandakakurayirai, kuti zvigova zvakanaka kwamuri. Asi havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo; asi vakatevera kutsauka kwoukukutu hwemwoyo yavo yakaipa. Vakadzokera shure vakasaenda mberi. Kubvira panguva yakabuda madzitateguru enyu muIjipiti kusvikira zvino, zuva nezuva, ndakatuma varanda vangu vaprofita ndavatumazve. Asi havana kunditeerera kana kuita hanya. Vaiva nemitsipa mikukutu uye vakaita zvakaipa kupfuura madzitateguru avo.’ “Pauchavataurira zvose izvi, havasi kuzokuteerera; pauchavadana, havasi kuzokupindura. Naizvozvo iwe uti kwavari, ‘Urwu ndirwo rudzi rusina kuteerera Jehovha Mwari warwo kana kubvuma kurayirwa. Chokwadi chakaparara, hachisisipo pamiromo yavo. Veurai bvudzi renyu mugorirasira kure; chemai muri pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha akaramba uye akasiya rudzi urwu rwaakatsamwira. “ ‘Vanhu veJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Vakamisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakapiwa Zita rangu vakaisvibisa. Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti muMupata waBheni Hinomi kuti vapise vanakomana navasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvarayira, chisina kumbopinda mupfungwa dzangu. Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazopadaidzi kuti Tofeti kana Mupata waBheni Hinomi, asi Mupata woKuurayiwa kwaVanhu, nokuti vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo. Ipapo mitumbi yavanhu ava ichava zvokudya zveshiri dzedenga nemhuka dzenyika, uye hapazovi nomunhu angazvivhundutsira kuti zvibve. Ndichaita kuti inzwi rokupembera nomufaro uye namanzwi avamwenga nechikomba mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema zvigume nokuti nyika ichava dongo. “ ‘Panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, mapfupa amadzimambo namachinda eJudha, namapfupa avaprista navaprofita, uye mapfupa avanhu veJerusarema, achabviswa kubva mumakuva avo. Achava pamhene agorohwa pazuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, uye vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika. Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose vorudzi urwu rwakaipa, vachademba rufu pachinzvimbo choupenyu, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’ “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Vanhu pavanowira pasi, havamukizve here? Munhu akange ambotsauka, haadzokizve here? Zvino nemhaka yei ava vadzokera shure? Nemhaka yei Jerusarema richingogara richitsauka? Vanobatirira pakunyengera, vanoramba kudzoka. Ndakanyatsoteereresa, asi ivo havambotauri zvakarurama. Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti, “Ndaiteiko?” Mumwe nomumwe anongoteedza nzira yake sebhiza rinomhanyira kurwa hondo. Kunyange shohori riri mudenga rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, uye njiva, nenyenganyenga nekondo zvinocherechedza nguva yazvo yokutama. Asi vanhu vangu havazivi zvinodikanwa naJehovha. “ ‘Munoreva seiko muchiti, “Takachenjera, nokuti tino murayiro waJehovha,” asi zvirokwazvo chinyoreso chenhema chavanyori chakanyora nhema? Vakachenjera vachanyadziswa, vachavhunduka uye vachabatwa. Sezvo vakaramba shoko raJehovha, kuchenjera kwavanako kwakadiniko? Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume, neminda yavo kuvaridzi vatsva. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista saizvozvo, vose vanoita nokunyengera. Vanosunga vanga ravanhu vangu sokunge duku duku. Vanoti, “Rugare, rugare,” ipo pasina rugare. Ko, vanonyadziswa netsika dzavo dzinonyangadza here? Kwete, havana kana nyadzi zvachose havambozivi kuti zvinonyadzisa sei. Saka vachawa pakati pavakawa; vachaderedzwa pavacharangwa, ndizvo zvinotaura Jehovha. “ ‘Ndichavatorera zvavakakohwa, ndizvo zvinotaura Jehovha Hapangazovi namazambiringa pamuzambiringa. Hakungazovi namaonde pamuti womuonde, uye mashizha azvo achaoma. Zvandakavapa vachazvitorerwa.’ ” “Ko, takagarireiko pano? Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa tindofira ikoko! Nokuti Jehovha Mwari wedu atitongera kufa, nokuti akatipa mvura ino muchetura kuti tinwe, nokuti takamutadzira. Takanga takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya, takatarisira kuporeswa asi paingova nokuvhundutswa. Kufemedzeka kwamabhiza omuvengi kunonzwika kuchibva kuDhani; panorira makono awo nyika yose inodedera. Auya kuzoparadza nyika nezvose zviri mairi, guta navose vanogara imomo.” “Tarirai ndichatumira nyoka dzino uturu pakati penyu, mvumbi dzicharamba kuimbirwa, uye dzichakurumai,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Haiwa, Munyaradzi wangu, pakuchema kwangu, mwoyo wangu woziya mukati mangu. Inzwai kuchema kwavanhu vangu kunobva kunyika iri kure kure: “Ko, Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haachimo here?” “Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo, nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?” “Kucheka kwapfuura, zhizha rapera, asi tigere kuponeswa.” Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa; ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru. Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here? Hakuna murapi ikoko here? Seiko zvino ronda ravanhu vangu risina kurapwa? Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvura uye meso angu riri tsime remisodzi! Ndingadai ndaichema masikati nousiku nokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu. Haiwa, dai ndaiva nenzvimbo mugwenga yokugara yavafambi, kuitira kuti ndisiye vanhu vangu ndiende kure navo; nokuti vose imhombwe, ungano yavanhu vasina kutendeka. “Vanokunga rurimi rwavo souta, kuti vapfure nhema; havaiti nechokwadi pakukunda kwavanoita munyika. Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe; havandizivi ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Chenjererai shamwari dzenyu; musavimba nehama dzenyu. Nokuti hama ipi neipi inonyengera, uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa. Shamwari inonyengera shamwari, uye hakuna anotaura chokwadi. Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema; vanozvinetsa nokuita zvakaipa. Munogara pakati pounyengeri; mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Tarirai, ndichavanatsa nokuvaedza, ndechipi chimwe chandingaita nokuda kwechivi chavanhu vangu? Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura nokunyengera. Nomusoro wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kuno wokwake, asi mumwoyo make anomuteyera musungo. Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri pamusoro porudzi rwakadai here?” Ndichachema nokuungudza nokuda kwamakomo, uye ndichachema pamusoro pamafuro egwenga. Aparara uye hakuna anofambako, uye kukuma kwemombe hakunzwiki. Shiri dzedenga dzatiza, uye mhuka dzaenda. Ndichaita Jerusarema murwi wedongo, panogara makava; uye ndichaparadza maguta eJudha, kuti kurege kuva nomunhu anogarako.” Ndoupiko munhu akachenjera zvokuti anganzwisisa izvi? Ndianiko akarayirwa naJehovha uye angatsanangura izvi? Nemhaka yeiko nyika yanyangadzwa yava dongo ikafanana negwenga risina angapfuura nomo? Jehovha akati, “Nemhaka yokuti vakasiya murayiro wangu, wandakaisa pamberi pavo; havana kunditeerera kana kutevera murayiro wangu. Asi, vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo; vakatevera vanaBhaari, sezvavakadzidziswa namadzibaba avo.” Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Tarirai ndichaita kuti vanhu ava vadye zvinovava uye kuti vanwe mvura ino muchetura. Ndichavaparadzira pakati pendudzi dzavasina kumboziva uye dzisina kumbozivikanwa namadzibaba avo, uye ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavaparadza.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Rangarirai zvino! Danai vakadzi vanochema vauye; danai vanogonesesa pakati pavo. Ngavakurumidze kuuya vagochema pamusoro pedu kusvikira maziso edu ayerera misodzi, nzizi dzoyerera mumaziso edu. Maungira okuchema anonzwika kubva Zioni achiti: ‘Haiwa taparadzwa sei! Haiwa kunyadziswa kwedu kukuru sei! Tinofanira kusiya nyika yedu nokuti dzimba dzedu ava matongo.’ ” Zvino, imi vakadzi, inzwai shoko raJehovha; dziurirai nzeve dzenyu kumashoko omuromo wake. dzidzisai vanasikana venyu kuungudza; dzidzisanai kuchema. Rufu rwakawira napamawindo edu uye rwapinda munhare dzedu; rwauraya vana mumigwagwa namajaya ari munzira dzeguta. Uti, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvitunha zvavanhu zvichavata somupfudze uri pamusoro pomunda, sezviyo zvakachekwa shure kwavacheki, zvisina achazviunganidza.’ ” Zvanzi naJehovha, “Akachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro penjere dzake, kana munhu ane simba pamusoro pesimba rake, kana akapfuma pamusoro pepfuma yake, Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze pamusoro pezvizvi: kuti anondinzwisisa uye kuti anondiziva ini, kuti ndini Jehovha, anoita unyoro, nokukururamisira, nokururama panyika, nokuti ndinofarira izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharanga vose vakadzingiswa panyama chete, Ijipiti, Judha, Edhomu, Amoni, Moabhu navose vanogara mugwenga kunzvimbo dziri kure. Nokuti ndudzi dzose idzi hadzina kumbodzingiswa, uye kunyange imba yose yaIsraeri haina kudzingiswa, mumwoyo.” Inzwai zvinoreva Jehovha kwamuri, imi imba yaIsraeri. Zvanzi naJehovha, “Regai kudzidza tsika dzendudzi kana kuvhundutswa nezviratidzo zviri kudenga kunyange hazvo ndudzi dzichivhundutswa nazvo. Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; vanotema muti musango, muvezi ouveza nembezo. Vanoushongedza nesirivha negoridhe; vanourovera nenyundo nezvipikiri kuti urege kuzungunuka. Sedukununu kumucheto womunda wamavise, zvifananidzo zvavo hazvigoni kutaura; zvinofanira kutotakurwa nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya; hazvigoni kukukuvadzai, uye hazvina nebasa rose.” Hakuna akafanana nemi, imi Jehovha; muri mukuru, uye zita renyu iguru pasimba. Ndianiko angarega kukutyai, imi Mambo wendudzi? Izvi ndizvo zvakakufanirai Pakati pavakachenjera vose vendudzi nomuushe hwavo hwose, hakuna akafanana nemi. Vose havana njere uye mapenzi; vanodzidziswa nezvifananidzo zvamatanda zvisingabatsiri. Sirivha yakapfurwa inotorwa kubva kuTashishi negoridhe richibva kuUfazi. Zvakaitwa nemhizha uye nomupfuri wegoridhe, zvopfekedzwa zvino nguo dzomucheka webhuruu nowepepuru, zvose zvinoitwa navabati vano umhizha, Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; Ndiye Mwari mupenyu, mambo wokusingaperi. Kana iye atsamwa, nyika inodedera; ndudzi hadzigoni kumira pamberi pehasha dzake. “Muvaudze kuti, ‘Vamwari ava, vasina kuita matenga nenyika, vachaparara panyika nepasi pamatenga.’ ” Asi Mwari akaita nyika nesimba rake, akateya nyika nouchenjeri hwake, uye akakutambanudza matenga nokunzwisisa kwake. Paanotinhira, mvura zhinji iri mumatenga inoita mubvumo; anoita kuti makore asimuke kubva kumigumo yenyika. Anotuma mheni pamwe nemvura uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake. Mumwe nomumwe haafungi uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wegoridhe anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri. Hazvina maturo, zvinhu zvinofanira kutukwa; kutongwa kwazvo pakunosvika, zvose zvichaparara. Iye anenge ari mugove waJakobho haana kufanana nazvo, nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose, kusanganisa naIsraeri, rudzi rwenhaka yake, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. Unganidzai nhumbi dzenyu mubve munyika, imi makakombwa. Nokuti zvanzi naJehovha, “Panguva ino ndichapotsera kure avo vanogara munyika ino; Ndichauyisa nhamo pamusoro pavo kuti vagotapwa.” Ndine nhamo nokuda kwokukuvara kwangu! Ronda rangu harirapiki! Asi ndakazviti, “Uku kurwara ndokwangu, uye ndinofanira kukutakura.” Tende rangu raparadzwa; mabote aro ose adamburwa. Vanakomana vangu vabva kwandiri uye havachipozve; hakuna asara zvino kuti amise tende rangu. kana kumisa dumba rangu. Vafudzi havana njere, uye havabvunzi Jehovha; saka havabudiriri uye makwai avo ose apararira. Inzwai! Chiziviso chiri kuuya, bope guru richabva kunyika yokumusoro! Richaita kuti maguta eJudha aparare, agarwe namakava. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake; hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake. Ndirangei, Jehovha, asi chete nokururamisira, kwete mukutsamwa kwenyu, kuti murege kundiparadza zvachose. Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pendudzi dzisingakurangarirei, pamusoro pavanhu vasingadani kuzita renyu. Nokuti vakadya Jakobho; vakamudya zvachose, uye vakaparadza nyika yake. Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha: “Teererai kumitemo yesungano iyi mugoizivisa kuvanhu veJudha nokuna vanogara muJerusarema. Muvaudze kuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Akatukwa munhu asingateereri mitemo yesungano iyi, mitemo yandakarayira madzitateguru enyu pandakavabudisa muIjipiti kubva muchoto chamatare.’ Ndakati, “Nditeererei mugoita zvose zvandinokurayirai, mugova vanhu vangu, ini ndigova Mwari wenyu. Ipapo ndichazadzisa mhiko yandakapika kumadzitateguru enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yava yenyu nhasi.” Ndakapindura ndichiti, “Ameni, Jehovha.” Jehovha akati kwandiri, “Paridza mashoko aya ose mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema uchiti, ‘Teererai mitemo yesungano iyi muitevere. Kubva panguva yandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti kusvikira nhasi, ndakavayambira ndavayambirazve ndichiti, “Nditeererei.” Asi havana kuteerera kana kuva nehanya; asi vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa. Saka ndakauyisa pamusoro pavo kutuka kwose kwesungano yandakanga ndavarayira kuti vatevere asi havana kuichengeta.’ ” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Pane rangano pakati pavanhu veJudha navanogona kundimukira navanogara muJerusarema. Vadzokera pazvakaipa zvamadzitateguru avo, avo vakaramba kuteerera mashoko angu. Vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire. Dzimba mbiri idzi, yaIsraeri neyaJudha dzakaputsa sungano yandakaita namadzitateguru avo. Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo yavasingagoni kupukunyuka. Kunyange vakachema kwandiri handingavateereri. Maguta eJudha navanhu veJerusarema vachaenda kundodana kuna vamwari vavaipisira zvinonhuwira, asi havazovabatsiri zvachose pavanosvikirwa nenjodzi. Una vamwari vakawanda sokuwanda kwakaita maguta ako, iwe Judha; uye aritari dzamakamisa kuti mupisire zvinonhuwira kuna mwari anonyadzisa, iye Bhaari, dzakawanda sokuwanda kwakaita migwagwa yeJerusarema.’ “Usanyengeterera vanhu kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvakumbirira, nokuti handizoteereri pavanodana kwandiri panguva yokutambudzika kwavo. “Ko, mudiwa wangu ari kuitei mutemberi yangu, zvaari kuita mabasa ake akaipa navazhinji? Ko, nyama yakatsaurwa ingadzivisa kurohwa kwako here? Pamunoita zvakaipa zvenyu, ipapo imi mofara.” Jehovha akati ndive muti womuorivhi uno upenyu, une michero yakanaka yakaurungana. Asi nokutinhira kwemhepo ine simba achautungidza nomoto, uye matavi awo achavhunika. Jehovha Wamasimba Ose, iye akakusima, atema chirevo chezvakaipa kwauri, nokuti imba yaIsraeri neimba yaJudha vakaita zvakaipa, vakanditsamwisa nokupisira Bhaari zvinonhuwira. Nokuti Jehovha akandionesa rangano yavo, ndikaiziva, nokuti panguva iyoyo akandiratidza zvavakanga vachiita. Ndakanga ndakaita segwayana nyoro riri kuendeswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga vandirangana, vachiti, “Ngatiparadzei muti nemichero yawo; ngatimubvisei panyika yavapenyu, kuti zita rake rirege kuzorangarirwazve.” Asi imi Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munotonga nokururama, uye munoedza mwoyo nendangariro, ngandione kutsiva kwenyu pamusoro pavo, nokuti ndakaisa mhaka yangu kwamuri. “Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavarume veAnatoti vari kutsvaka kukuuraya, vachiti, ‘Regai kuprofita nezita raJehovha nokuti ungafa namaoko edu,’ naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavaranga. Majaya avo achafa nomunondo, vanakomana navanasikana vavo vachafa nenzara. Hakuna kunyange mumwe achasiyira kwavari, nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro pavarume veAnatoti mugore rokurangwa kwavo.’ ” Imi munogara makarurama, iyemi Jehovha, pandinouya pamberi penyu nemhaka. Kunyange zvakadaro ndichataura nemi pamusoro pokururamisira kwenyu, ndichiti: Nemhaka yeiko nzira yavakaipa ichibudirira? Nemhaka yei vasingatendi vachirarama zvakanaka? Makavasima, uye vava nemidzi; vanokura uye vanobereka muchero. Imi munogara muri pamiromo yavo asi muri kure nemwoyo yavo. Asi munondiziva, imi Jehovha; munondiona uye munoedza ndangariro dzangu pamusoro penyu. Vakwekweredzei samakwai anondobayiwa! Muvagadzirire zuva rokubayiwa. Nyika ichasvika riniko yakangooma nebundo resango rakangosvava? Nokuti vose vanogaramo vakaipa, mhuka neshiri zvaparara. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanoti, “Haasi kuzoona zvinoitika kwatiri.” Kana wakaita nhangemutange navanhu netsoka, uye vakakunetesa ungagokwikwidzana sei namabhiza? Kana uchigumburwa panyika yakanaka, ungagara seiko mumatenhere eJorodhani? Hama dzako, mhuri yako chaiyo, kunyange naivowo vakakumukira; vakadanidzira zvikuru kwazvo pamusoro pako. Usavimba navo, kunyange vachitaura zvakanaka pamusoro pako. “Ndichasiya imba yangu, ndigorasa nhaka yangu; ndichapisa mudikani wangu mumaoko avavengi vake. Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri musango. Anoomba pamberi pangu; naizvozvo ndinomuvenga. Ko, nhaka yangu haizova kwandiri segondo rina mavara here, iro rinokombwa nokurwiswa namamwe makondo? Endai munounganidza zvikara zvose; muuye nazvo zvidye. Vafudzi vazhinji vachaparadza munda wangu womuzambiringa, uye vachatsindira munda wangu; vachashandura munda wangu unofadza kuti uve dongo risina chinhu. Uchaitwa dongo rakaoma uye rakaparadzwa pamberi pangu; nyika yose ichava dongo nokuti hakuna ane hanya. Pamusoro pezvikomo zvisina miti zviri mugwenga, vaparadzi vachamomotera, nokuti munondo waJehovha uchaparadza, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe, hakuna achava norugare. Vachadyara gorosi asi vachakohwa minzwa; vachazvinetesa asi hakuna chavachawana. Saka zvitakurirei njodzi dzegohwo renyu, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.” Zvanzi naJehovha, “Kana vari vakaipa vakavakidzana nemi vanopamba nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsraeri ndichavadzura munyika dzavo uye ndichadzura imba yaJudha kubva pakati pavo. Asi mushure mokuvadzura, ndichavanzwirazve tsitsi uye ndichadzosa mumwe nomumwe wavo kunhaka yake nokunyika yake. Zvino kana vadzidza zvakanaka nzira dzavanhu vangu nokupika nezita rangu, vachiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, kunyange havo vakambodzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachasimbiswa pakati pavanhu vangu. Asi kana pano rudzi rusingateereri, ndicharudzura zvachose nokuruparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvakanzi naJehovha kwandiri, “Enda undotenga bhanhire romucheka urisunge muchiuno chako, asi usarege richipinda mvura,” Saka ndakatenga bhanhire, sezvandakarayirwa naJehovha, ndokurisunga muchiuno changu. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti, “Tora bhanhire rawakatenga uye rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.” Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati sezvandakaudzwa naJehovha. Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.” Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Nenzira imwe cheteyo ndichaodza kuzvikudza kweJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusarema. Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose! Nokuti sebhanhire rinosungwa muchiuno saizvozvo ndakasungira imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti vave vanhu vembiri yangu nokurumbidzwa kwangu nokukudzwa kwangu. Asi havana kuteerera.’ “Uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini.’ Zvino kana vakati kwauri, ‘Ko, isu hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini?’ ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichazadza nokudhakisa vose vanogara munyika ino, pamwe chete namadzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, navaprista navaprofita navose vanogara muJerusarema. Ndichavabonderedza mumwe kuno mumwe, madzibaba navanakomana saizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha. Handingabvumiri tsitsi kana ngoni dzangu kuti zvindidzivise kuvaparadza.’ ” Inzwai, rerekai nenzeve dzenyu kwandiri, musazvikudza, nokuti Jehovha ataura. Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu asati auyisa rima, makumbo enyu asati agumburwa pamakomo erima. Munotarisira chiedza, asi iye achachishandura kuti chive mumvuri worufu, uye achachiita rima guru. Asi kana musingateereri, ndichachema pakavanda nokuda kwokuzvikudza kwenyu; Meso angu achachema zvikuru, achiyerera misodzi, nokuti boka ramakwai raJehovha richaendeswa kuutapwa. Uti kuna mambo nokuna mai vamambo, “Burukai pazvigaro zvenyu zvoushe, nokuti korona dzenyu dzokukudzwa dzichawira pasi kubva pamisoro yenyu.” Maguta okuNegevhi achazarirwa, uye hakuna munhu achaazarura. VaJudha vose vachaendeswa kuutapwa, vachaendeswa kure zvachose. Simudza meso ako uone avo vanobva nechokumusoro. Ko, boka ramakwai rawakapiwa kuti urichengete riripi, iwo makwai awaizvirumbidza nawo? Uchati kudiniko kana Jehovha achiisa pamusoro pako avo vawakadzidzisa seshamwari dzako dzakasarudzika? Haungarwadziwi zvikuru here, somukadzi osununguka mwana? Zvino kana ukazvibvunza pachako, uchiti: “Sei izvi zvaitika kwandiri?”— zvaitika nokuda kwezvivi zvako zvizhinji, kuti nguo dzako dzabvarurwa, uye muviri wako ukasabatwa zvakanaka. Ko, muEtiopia angashandura ganda rake here, kana ingwe mavara ayo? Saizvozvowo imi hamungagoni kuita zvakanaka, imi makarovedzera kuita zvakaipa. “Ndichakuparadzirai sehundi inopepereswa nemhepo yomugwenga. Uyu ndiwo mugove wako, ndicho chikamu chandakakutemera,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti wakandikanganwa ukavimba navamwari venhema. Ndichafukura nguo dzako pamberi pako, kuti kunyadziswa kwako kuonekwe, upombwe hwako nokufemhedza kworuchiva rwako, iko kufeva kwako kusina nyadzi! Ndakaona mabasa ako anonyangadza awaiita pamusoro pezvikomo nomumunda. Une nhamo, iwe Jerusarema! Ucharamba usina kuchena kusvikira rinhiko? Iri ndiro shoko raJehovha kuna Jeremia pamusoro pokusanaya kwemvura: “Judha anochema, maguta ake apera simba; vanoungudza nokuda kwenyika, uye kuchema kwokwira kuchibva kuJerusarema. Vanokudzwa vanotuma varanda vavo kundochera mvura; vanoenda kumatsime, asi vanoshayiwa mvura. Vanodzoka nezvirongo zvavo zvisina mvura; vaora mwoyo uye vasisina tariro, vanofukidza misoro yavo. Nyika yaparuka nokuti munyika hamuchina mvura; varimi vaora mwoyo uye vanofukidza misoro yavo. Kunyange nehadzi yenondo iri musango inosiya mhuru yayo ichangoberekwa nokuti hakuchina bundo. Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, uye dzinofemedzeka semakava; meso adzo haachaona zvakanaka nokuda kwokushaya mafuro. Kunyange zvivi zvedu zvichipupura zvakaipa, imi Jehovha, onai zvamungaita nokuda kwezita renyu. Nokuti kudzokera kwedu shure kukuru; takakutadzirai. Imi Tariro yaIsraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, maitireiko somutorwa munyika, somufambi anongovata usiku humwe chete? Maitireiko somunhu ashamisika somurwi ashaya simba rokuponesa? Muri pakati pedu, imi Jehovha, uye takatumidzwa zita renyu; regai kutisiya! Zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu ava, “Vanofarira kungofamba-famba; havadzori tsoka dzavo. Saka Jehovha haavagamuchiri; zvino acharangarira zvakaipa zvavo uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Rega kunyengeterera kugara zvakanaka kwavanhu ava. Kunyange vakatsanya, handinganzwi kuchemwa kwavo; kunyange vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Asi ndichavaparadza nomunondo, nenzara uye nedenda.” Asi ndakati, “Haiwa Ishe Jehovha, vaprofita vanogara vachivataurira kuti, ‘Hamungaoni munondo kana kufa nenzara. Zvirokwazvo ndichakupai rugare rusingaperi panzvimbo ino.’ ” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Vaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Ini handina kuvatuma kana kuvagadza kana kutaura kwavari. Vanokuprofiterai zviratidzo zvenhema, nezvakavukwa, nezvifananidzo nokurasika kwendangariro dzavo. Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaprofita vanoprofita muzita rangu: Handina kuvatuma, asi ivo vanoti, ‘Hakungavi nomunondo kana nzara ichawira nyika ino.’ Vaprofita vacho ivavo, vachaparara nomunondo nenzara. Uye vanhu vavaiprofitira vacharasirwa munzira dzeJerusarema nokuda kwenzara nomunondo. Hakuna munhu achavaviga ivo, kana vakadzi vavo, kana vanakomana vavo, kana vanasikana vavo. Ndichadururira pamusoro pavo njodzi yakafanira. “Taura shoko iri kwavari, uti, ‘Meso angu ngaayerere misodzi usiku namasikati asingaregi; nokuti mhandara mwanasikana wangu, vanhu vangu, varwadziwa nevanga rakaipa, iko kurohwa kukuru. Kana ndikaenda mukati menyika, ndinoona vaya vakaurayiwa nomunondo; kana ndikaenda muguta, ndinoona vakaparadzwa nenzara. Vose, muprofita nomuprista vakaenda kunyika yavasingazivi.’ ” Ko, maramba Judha zvachose here? Munozvidza Zioni here? Sei makatirwadzisa zvokuti tirege kuporeswa? Takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya, takatarisira nguva yokuporeswa asi panongova nokuvhunduswa bedzi. Haiwa Jehovha, tinobvuma zvakaipa zvedu, uye nemhosva yamadzibaba edu; zvirokwazvo takakutadzirai. Nokuda kwezita renyu, musatizvidza; regai kushora chigaro chenyu chinobwinya. Rangarirai henyu sungano yenyu nesu mugorega kuiputsa. Ko, pazvifananidzo zvisina maturo zvendudzi, chiripo chinganayisa mvura here? Ko, matenga, anonayisa mvura oga here? Kwete, ndimi, Iyemi Jehovha Mwari wedu. Naizvozvo tariro yedu iri mamuri, nokuti ndimi moga munoita izvi zvose. Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende! Zvino kana vakakubvunza vachiti, ‘Tichaendepiko?’ Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nomunondo, kumunondo; vakafanirwa nenzara, kunzara; vakafanirwa noutapwa, kuutapwa.’ “Ndichatumira mhando ina dzavaparadzi pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “munondo kuti uuraye uye imbwa kuti dzikwekweredzere kure, neshiri dzedenga nemhuka dzenyika kuti dzidye nokuparadza. Ndichaita kuti vavengwe noushe hwose hwenyika nokuda kwezvakaitwa muJerusarema naManase, mwanakomana waHezekia mambo weJudha. “Ndianiko achakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema? Ndianiko achakuchemera? Ndianiko achamira achikubvunza mufaro? Wakandiramba,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Unoramba uchidzokera shure. Saka ndichakubata noruoko rwangu ndigokuparadza; handichagoni kuramba ndichikunzwira tsitsi. Ndichavarudza neforogo yokurudzisa, pamasuo eguta renyika. Ndichauyisa kufirwa nokuparadzwa pamusoro pavanhu vangu, nokuti havana kushandura nzira dzavo. Ndichawanza chirikadzi dzavo kupfuura jecha regungwa. Panguva yamasikati ndichauyisa muparadzi, pamusoro pavanamai vamajaya avo; pakarepo, ndichaburutsa pamusoro pavo kurwadziwa uye kutya. Mai vakabereka vana vanomwe vachaziya vagofa. Zuva rake richavira achiri masikati; achanyadziswa uye achaninipiswa. Vachapunyuka ndichavaisa kumunondo pamberi pavavengi vavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Yowe-e, mai vangu, zvamakandibereka kuti ndive murume anorwiswa nokumisidzanwa naye nenyika yose! Handina kumbopa munhu chikwereti, kana kutora chikwereti, asi zvakadaro vanhu vose vanondituka. Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichakurwira nokuda kwechikonzero chakanaka; zvirokwazvo ndichaita kuti vavengi vako vakunyengetedze panguva yenjodzi nepanguva yokutambudzika. “Ko, munhu angavhuna simbi here, simbi inobva nechokumusoro, kana ndarira? Pfuma yako namatura ako ndichazvipa sezvakapambwa, pasina muripo, nokuda kwezvivi zvako zvose munyika yako yose. Ndichakuita muranda wavavengi vako kunyika yausingazivi, nokuti kutsamwa kwangu kuchabatidza moto uchapfuta kuti ukupise.” Haiwa Jehovha, imi munonzwisisa; ndirangarirei mugondichengeta. Munditsivire kuvatambudzi vangu. Imi muno mwoyo murefu, musandibvisa; fungai kuti ndakanyadziswa sei nokuda kwenyu. Mashoko enyu paakasvika ndakaadya; akanga ari mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu, nokuti ndakatumidzwa zita renyu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose. Handina kumbogara pakati peungano yavanozvifadza, handina kumbofara navo; ndakagara ndoga nokuti ruoko rwenyu rwaiva pamusoro pangu, uye makanga mandizadza nokutsamwa. Seiko kurwadziwa kwangu kusingaperi, uye ronda rangu richirwadza uye risingarapiki? Muchava kwandiri sorukova runonyengera here sechitubu chinopwa? Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Kana ukatendeuka, ndichakudzosazve kuti ugondishumira; kana ukataura zvakafanira, kwete mashoko asakafanira, uchava somuromo wangu. Vanhu ava ngavadzokere kwauri, asi iwe usaenda kwavari. Ndichakuita rusvingo kuvanhu ava, nhare yorusvingo rwendarira; vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndigokuponesa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichakuponesa kubva mumaoko avakaipa uye ndichakudzikinura pamaoko avano utsinye.” Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Haufaniri kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.” Nokuti zvanzi naJehovha, pamusoro pavanakomana navanasikana vanoberekwa munyika ino napamusoro pavakadzi vanova vanamai vavo navarume vanova madzibaba avo, “Vachafa nehasha dzakaipisisa. Havangazochemwi kana kuvigwa asi vachafanana nomupfudze uri pamusoro penyika. Vachaparara nomunondo nenzara, uye zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.” Nokuti zvanzi naJehovha, “Usapinda muimba mune zvokudya zvamariro: usaenda kundochema kana kuvanzwira tsitsi, nokuti ndabvisa maropafadzo norudo rwangu uye ngoni dzangu pavanhu ava,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vose, vakuru navaduku vachafa munyika ino. Havangavigwi kana kuchemwa, uye hakuna munhu achazvicheka kana kuveura musoro wake nokuda kwavo. Hakuna munhu achavapa chokudya kuti vanyarare pakuchema kwavo vakafa, hakuna kunyange baba chaivo kana mai, hakuna kana achavapa mvura yokunwa chaiyo kuti vanyarare. “Newe usapinda muimba inoitirwa mutambo kundogara pasi uchidya nokunwa. Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, mheremhere yokupembera nenzwi romufaro uye nenzwi romwenga nerechikomba. “Paunovaudza vanhu ava izvi zvose ivo vakakubvunza vachiti ‘Jehovha aisireiko kwatiri chirevo chenjodzi yakakura kudai? Chakaipa chatakaita ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko chatakatadzira Jehovha Mwari wedu?’ Ipapo uti kwavari, nemhaka yokuti madzibaba enyu akandisiya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘vakatevera vamwe vamwari ndokuvashumira nokuvanamata. Vakandisiya ini uye havana kuchengeta mirayiro yangu. Asi imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu. Tarirai kuti mumwe nomumwe wenyu anotevera sei kusindimara kwomwoyo wake wakaipa pano kuti anditeerere ini. Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamusina kumboziva imi kana madzibaba enyu mugondoshumira vamwe vamwari ikoko masikati nousiku, nokuti handingakunzwirei nyasha.’ “Kunyange zvakadaro, mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, avasingazotizve, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri muIjipiti,’ asi vachati, ‘NaJehovha mupenyu, iye akabudisa vaIsraeri kubva munyika yokumusoro uye nokubva munyika dzose dzaakanga avadzingira.’ Nokuti ndichavadzoserazve kunyika yandakapa madzitateguru avo. “Asi zvino ndichavatumira varedzi vehove vazhinji,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vagozovabata. Mushure maizvozvo ndichatumira vavhimi vazhinji, vachavavhima pamusoro pegomo roga roga napamusoro pechikomo choga choga uye nomumapako amatombo. Meso angu ari pamusoro penzira dzavo dzose; hadzina kuvanzika kwandiri, uye chivi chavo hachina kuvanzika pameso angu. Ndichatsiva zvakaipa zvavo nechivi chavo, zvakapetwa kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu nezvitunha zvezvifananidzo zvavo zvisina maturo, uye vakazadza nhaka yangu nezvifananidzo zvavo zvinonyangadza.” Imi Jehovha, simba rangu nenhare yangu, utiziro hwangu munguva yokutambudzika, ndudzi dzichauya kwamuri dzichibva kumagumo enyika, dzichiti, “Madzibaba edu akanga asina chaanacho asi vamwari venhema bedzi, izvo zvifananidzo zvisingabatsiri zvisina chakanaka chazvakavaitira. Ko, vanhu vanozviitira vamwari vavo here? Hongu, asi havasi vamwari!” “Naizvozvo ndichavadzidzisa, nguva ino ndichavadzidzisa simba rangu noukuru hwangu. Ipapo vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha. “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi, chakanyorwa nomuromo webwe rakapinza kwazvo, pahwendefa dzemwoyo yavo nepanyanga dzearitari dzavo. Kunyange vana vavo vanorangarira aritari dzavo namatanda aAshera munyasi memiti yakapfumvutira uye napazvikomo zvakakwirira. Gomo rangu riri munyika uye pfuma yako namatura ako ose ndichazviendesa kuutapwa, pamwe chete nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwechivi chiri munyika yako yose. Nokuda kwokutadza kwako, ucharasikirwa nenhaka yandakakupa. Ndichakuita muranda wavavengi vako munyika yausingazivi, nokuti wakabatidza kutsamwa kwangu, uye kuchapfuta nokusingaperi.” Zvanzi naJehovha, “Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu, anovimba nesimba renyama ano mwoyo unofuratira Jehovha. Achafanana negwenzi murenje; haangaoni kubudirira pakunosvika. Achagara munzvimbo dzakaoma dzemugwenga, munyika yomunyu isingagarwi nomunhu. “Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari. Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.” Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, uye wakaora chose. Ndiani angauziva? “Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo uye ndinoedza ndangariro, kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake, uye zvakafanira mabasa ake.” Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira, ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma nokusarurama. Pakati pamazuva ake, zvichamusiya, uye pakupedzisira achazviona kuti ibenzi. Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakakwira kubva pakutanga, ndiyo nzvimbo yedu tsvene. Ini Jehovha, tariro yaIsraeri, vose vanokusiyai vachanyadziswa. Vose vanotsauka kwamuri vachanyorwa muvhu, nokuti vakasiya Jehovha, chitubu chemvura mhenyu. Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa, nokuti imi ndimi wandinorumbidza. Vanogara vachiti kwandiri, “Shoko raJehovha riripiko? Ngarizadziswe iye zvino!” Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu; munoziva kuti handina kushora zuva rokupera kwetariro. Zvinobuda mumuromo mangu zviri pachena pamberi penyu. Musava chinhu chinotyisa kwandiri; ndimi utiziro hwangu pazuva renjodzi. Vatambudzi vangu ngavanyadziswe, asi ini ndidzivirirei pakunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndidzivirirei pakuvhunduswa. Uyisai pamusoro pavo zuva renjodzi; vaparadzei nokuparadza kwakapetwa kaviri. Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema. Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha navanhu vose veJudha navose vanogara muJerusarema vanopinda napamasuo aya. Zvanzi naJehovha: Zvichenjererei kuti murege kutakura mutoro nomusi weSabata kana kuupinza napasuo reJerusarema. Musabudisa mitoro mudzimba dzenyu kana kuita basa ripi neripi pazuva reSabata, asi chengetai zuva reSabata rive dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu. Asi havana kunzwa kana kurereka nzeve dzavo; vakava nemitsipa mikukutu uye havana kumboteerera kana kugamuchira kurayirwa. Asi kana mukachenjerera kuti munditeerere, ndizvo zvinotaura Jehovha, mukasauya nemitoro napamasuo eguta iri nomusi weSabata, asi muchichengeta zuva reSabata kuti rive dzvene nokusaita basa ripi neripi pazuva iroro, ipapo madzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi vachauya napamasuo eguta namachinda avo. Ivo namachinda avo vachauya vakakwira ngoro namabhiza, vachiperekedzwa navarume veJudha navose vanogara muJerusarema, uye guta rino richagarwa nokusingaperi. Vanhu vachauya kumaguta eJudha uye nokumisha yakapoteredza Jerusarema, kubva kunyika yeBhenjamini nokujinga rezvikomo zvokumavirira, nokunyika yemakomo uye nokuNegevhi, vachiuyisa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, uye zvipiriso zvezviyo, nezvinonhuwira nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha. Asi kana mukarega kunditeerera kuti muchengete zuva reSabata kuti rive dzvene, musingaregi kutakura mutoro pamunopinda pamasuo eJerusarema nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto usingadzimwe mumasuo eJerusarema uchapedza nharo dzaro.” Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, “Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko.” Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo. Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Haiwa imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi wehari uyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sezvakaita ivhu muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri. Kana ndikazivisa panguva ipi zvayo kuti rudzi kana ushe zvidzurwe nokubvarurwa uye zviparadzwe, uye kana rudzi urwo rwandakayambira rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo, ipapo ndichazvidemba ndigorega kuisa pamusoro pavo njodzi yandakanga ndavarongera. Uye kana pane imwe nguva ndikazivisa kuti rudzi kana ushe zvivakwe nokusimwa, uye kana rukaita zvakaipa pamberi pangu uye rukasanditeerera, ipapo ndicharangarirazve zvakanaka zvandakanga ndichida kuruitira. “Naizvozvo zvino uti kuvanhu veJudha naavo vanogara muJerusarema, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai! ndiri kugadzirira njodzi uye ndiri kuronga urongwa hwakaipa pamusoro penyu. Saka dzokai mubve panzira dzenyu dzakaipa, mumwe nomumwe wenyu, uye mushandure nzira dzenyu namaitiro enyu.’ Asi vachapindura vachiti, ‘Hazvina maturo. Ticharambira pane zvatakafunga; mumwe nomumwe wedu achatevera kusindimara kwomwoyo wake wakaipa.’ ” Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Bvunzai pakati pavahedheni kuti: Ndiani akambonzwa chimwe chinhu chakadai? Chinhu chakaipa kwazvo chakaitwa neMhandara Israeri. Ko, chando cheRebhanoni chinomboshayikwawo pamawere ematombo here? Ko, mvura yaro inotonhorera inoyerera ichibva kure inombomira kuyerera here? Kunyange zvakadaro, vanhu vangu vakandikanganwa; vanopisira zvinonhuwira kuzvifananidzo zvisina maturo, izvo zvakaita kuti vagumburwe munzira dzavo, uye napamakwara ekare kare. Vakavaita kuti vafambe mumakwara akatsauka nomumigwagwa isina kugadzirwa. Nyika yavo ichaitwa dongo, chiseko chisingaperi; vose vanopfuura nemo vachashamiswa uye vachadzungudza misoro yavo. Semhepo inobva kumabvazuva, ndichavaparadzira pamberi pavavengi vavo; ndichavaratidza musana wangu kwete uso hwangu, pazuva renjodzi yavo.” Vakati, “Uyai tironge zvatingaita naJeremia; nokuti kudzidziswa kwomurayiro navaprista hakungaraswi, kunyange zano rinobva kuna vakachenjera, kana shoko rinobva kuvaprofita. Saka uyai, timurove nendimi dzedu tirege kuteerera chinhu chipi nechipi chaanoreva.” Haiwa Jehovha ndinzweiwo; donzwai zvinorehwa navapomeri vangu! Ko, zvakanaka zvingatsiviwa nezvakaipa here? Kunyange zvakadaro vakandicherera gomba. Rangarirai kuti ndakamira pamberi penyu ndichivareverera, kuti mudzore kutsamwa kwenyu kwavari; Saka sundirai vana vavo kunzara; vaisei kusimba romunondo. Vakadzi vavo ngavarege kuva navana uye ngavave chirikadzi; Varume vavo ngavaurayiwe, majaya avo ngaaurayiwe nomunondo muhondo. Kuchema ngakunzwike kuchibva kudzimba dzavo, pamunouyisa vapambi pamusoro pavo pakarepo, nokuti vakachera hunza kuti vandibate, uye vakavanzira tsoka dzangu misungo. Asi munoziva, imi Jehovha, rangano dzavo dzose dzokundiuraya. Musavakanganwira mhaka dzavo kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu. Ngavawisirwe pasi pamberi penyu, muvarove panguva yokutsamwa kwenyu. Zvanzi naJehovha, “Enda undotenga chirongo chevhu kumuumbi wehari. Uende navamwe vakuru vavanhu navaprista. Muende kuMupata waBheni Hinomi, pedyo napamuromo weSuo reZvaenga. Uparidzepo mashoko andinokuudza, uchiti; ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo navanhu veJerusarema. Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri achiti: Teererai! ndiri kuuyisa njodzi panzvimbo ino ichaita kuti nzeve yomumwe nomumwe anonzwa nezvayo iwunge. Nokuti vakandisiya vakaita nzvimbo ino kuti ive yamwari wavatorwa; vakapisira zvibayiro mairi kuna vamwari vavasina kuziva ivo kana madzibaba avo kana madzimambo eJudha, uye vakazadza nzvimbo ino neropa ravasina mhosva. Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari kuti vapise vanakomana vavo mumoto sezvipiriso, kuna Bhaari, chinhu chandisina kuvarayira kana kureva, uye hachina kumbopinda mupfungwa dzangu. Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazotumidzi nzvimbo ino kuti Tofeti kana kuti Mupata waBheni Hinomi, asi kuti Mupata Wokuuraya. “ ‘Ndichaparadza urongwa hwaJudha naJerusarema munzvimbo ino. Ndichavawisira pasi nomunondo pamberi pavavengi vavo, pamaoko avanotsvaka kuvauraya, uye ndichapa zvitunha zvavo sezvokudya kushiri dzedenga nezvikara zvenyika. Ndichaparadza guta rino nokuriita chinhu chinosekwa; vose vanopfuura napo vachashamiswa nokurihomera nokuda kwemaronda aro ose. Ndichaita kuti vadye nyama yavanakomana vavo neyavanasikana vavo, uye nyama yomumwe nomumwe wavo panguva yokurema kwokukombwa kunenge kwaiswa pamusoro pavo navavengi vavo vanotsvaka kuvauraya.’ “Ipapo uputse chirongo vaya vanoenda newe vakatarisa, ugoti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: Ndichaputsa rudzi urwu neguta rino sokuputsika kwechirongo chemuumbi wehari uye hachingagoni kugadzirwazve. Vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo. Izvi ndizvo zvandichaitira nzvimbo ino nokuna vose vanogara muno, ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichaita guta rino seTofeti. Dzimba dziri muJerusarema nedzamadzimambo eJudha dzichasvibiswa senzvimbo ino, Tofeti, dzimba dzose dzaivaipisira zvinonhuwira pamatenga adzo vachipisira hondo dzenyeredzi dzose dzokudenga nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvokunwa.’ ” Ipapo Jeremia akabva kuTofeti, kwaakanga atumwa naJehovha kundoprofita, akandomira muruvazhe rwetemberi yaJehovha ndokuti kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Inzwai! Ndichauyisa pamusoro peguta rino nemisha yakaripoteredza, njodzi imwe neimwe yandakazivisa pamusoro paro, nokuti ivo vakaomesa mitsipa yavo vakaramba kunzwa mashoko angu.’ ” Muprista Pashuri mwanakomana waImeri, mutariri mukuru mutemberi yaJehovha, akati anzwa Jeremia achiprofita zvinhu izvi, akarayira kuti Jeremia muprofita arohwe agoiswa muchitokisi paSuo Rokumusoro raBhenjamini raiva patemberi yaJehovha. Chifumi chamangwana, Pashuri akati amusunungura kubva muchitokisi; Jeremia akati kwaari, “Zita rinopiwa kwauri naJehovha harisi Pashuri, asi MagoriMisabhibhi (zvichireva zvinotyisa kumativi ose). Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ndichakuita chinhu chinokutyisa iwe pachako nokushamwari dzako dzose; uchadziona nemeso ako dzichiwisirwa pasi nomunondo wavavengi vavo. Ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, iye achavaendesa kuBhabhironi kana kuvauraya nomunondo. Ndichaisa pfuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvinokosha zvaro, nepfuma yose yamadzimambo eJudha, mumaoko avavengi vavo. Vachazvipamba ndokuzviendesa kuBhabhironi. Zvino iwe Pashuri, navose vanogara mumba mako muchatapwa mugondogariswa kuBhabhironi. Uchandofira ikoko, iwe neshamwari dzako dzose dzawaiprofitira nhema.’ ” Haiwa Jehovha makandinyengera, uye ndakanyengerwa; makandikurira uye mukakunda, vanondiseka zuva rose; munhu wose anondiseka. Pandinotaura pose, ndinodanidzira ndichitaura nezvokuita nechisimba nokuparadza. Saka shoko raJehovha rakandivigira kutukwa nokunyadziswa zuva rose. Asi kana ndikati, “Handicharevi zita rake, kana kutaurazve muzita rake,” shoko rake riri mumwoyo mangu rakaita somoto, moto wakapfigirwa mumapfupa angu. Ndaneta nokuridzivisa; zvirokwazvo, handigoni. Ndinonzwa vazhinji vachizevezera vachiti, “Zvinotyisa kumativi ose! Mureverei! Ngatimureverei!” Shamwari dzangu dzose dzakarindira kutedzemuka kwangu, dzichiti, “Zvimwe achanyengererwa; ipapo tigomukunda tigozvitsiva paari.” Asi Jehovha aneni semhare ine simba; saka vatambudzi vangu vachagumburwa, uye havangakundi. Vachakundikana uye vachanyadziswa kwazvo; kusakudzwa kwavo hakungatongokanganwikwi. Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munoedza vakarurama nokunzvera mwoyo nendangariro, ngandione kutsiva kwenyu pamusoro pavo, nokuti ndaisa mhaka yangu kwamuri. Imbirai Jehovha! Ipai rumbidzo kuna Jehovha! Iye anorwira upenyu hwavanoshayiwa kubva mumaoko avakaipa. Ngaritukwe zuva randakaberekwa! zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa! Ngaatukwe munhu akazivisa baba vangu shoko, iye akaita kuti vafare kwazvo, achiti, “Waberekerwa mwana, iye mwanakomana!” Munhu uyo ngaave semaguta akaparadzwa naJehovha asingazvidembi, Ngaanzwe kuungudza mangwanani, nokuchema kwehondo masikati. Nokuti haana kundiuraya ndiri mudumbu, mai vangu vangadai vari guva rangu, vairamba vane mimba. Ndakambobudireiko mudumbu kuti ndione nhamo nokuchema nokugumisa mazuva angu mukunyadziswa? Shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikija, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya. Vakati, “Dotibvunzirawo kuna Jehovha iye zvino nokuti Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi ari kurwa nesu. Zvichida Jehovha angatiitira zvishamiso sepanguva dzakapfuura kuitira kuti uyu abve kwatiri.” Asi Jeremia akavapindura achiti, “Udzai Zedhekia kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ndava pedyo nokunangisa kwauri zvombo zvehondo zviri mumaoko ako, zvaunoshandisa kurwa namambo weBhabhironi navaBhabhironi vakakukombai kunze kwamasvingo. Uye ndichazviunganidza mukati meguta rino. Ini ndimene ndicharwa newe noruoko rwakatambanudzwa noruoko rune simba mukutsamwa neshungu nehasha huru. Ndicharova vanogara muguta rino, zvose vanhu nezvipfuwo, uye zvichafa nedenda rakaipisisa. Shure kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichaisa Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake navanhu vari muguta rino vanopunyuka padenda, napamunondo, nepanzara, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvavengi vavo vanotsvaka kuvauraya. Iye achavaisa kumunondo; haangavanzwiri urombo, kana ngoni, kana tsitsi.’ “Zvakare, uti kuvanhu, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kuisa pamberi penyu nzira youpenyu neyorufu. Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana nedenda. Asi ani naani achabuda akandozvipira kuvaBhabhironi vakakukombai achararama; achatiza noupenyu hwake. Ndafunga kuitira guta rino zvakaipa kwete zvakanaka, ndizvo zvinotaura Jehovha. Richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, uye achariparadza nomoto.’ “Pamusoro paizvozvo, uti kuimba youshe yaJudha, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi imba yaDhavhidhi. Zvanzi naJehovha, “ ‘Tongai nokururamisira mangwanani ari ose, murwire akabirwa muruoko rwomumanikidzi, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda kukakupisai somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, kuchipfuta pasina angakudzima. Ndine mhosva newe, Jerusarema, iwe ugere pamusoro pomupata uno pamutunhu wematombo, ndizvo zvinotaura Jehovha, iyemi munoti, “Ndiani angatirwisa? Ndiani angapinda pautiziro hwedu?” Ndichakurovai sezvakafanira mabasa enyu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichabatidza moto mumasango enyu uchapisa zvose zvakakupoteredzai.’ ” Zvanzi naJehovha, “Burukira kumuzinda wamambo weJudha undoparidza shoko iri ikoko uchiti, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi mambo weJudha, iyemi munogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, imi namachinda enyu navanhu venyu vanopinda napamasuo aya. Zvanzi naJehovha: Itai zvakanaka nezvakarurama. Rwirai akabirwa muruoko rwounomumanikidza. Regai kuitira zvakaipa kana chisimba kumutorwa nenherera kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino. Nokuti kana mukachenjerera kuteerera mirayiro, ipapo madzimambo anogara pachigaro chaDhavhidhi achapinda napamasuo omuzinda uyu, vakakwira mungoro nepamabhiza vachiperekedzwa namachinda avo navanhu vavo. Asi kana mukaramba kunzwa mirayiro iyi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndinopika neni ndimene kuti nzvimbo ino ichava dongo.’ ” Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pomuzinda wamambo weJudha: “Kunyange wakaita seGireadhi kwandiri, wakaita somusoro weRebhanoni, zvirokwazvo ndichakuita segwenga, semaguta asingagarwi. Ndichatumira vaparadzi pamusoro penyu, mumwe nomumwe nezvombo zvake, vachatema matanda enyu emisidhari akanaka vagoakanda mumoto. “Marudzi mazhinji avanhu achapfuura nepaguta rino uye vachabvunzana vachiti, ‘Jehovha aitireiko chinhu chakadai kuguta rino?’ Zvino mhinduro ichati, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wavo vakanamata Uye vakashumira vamwe vamwari.’ ” Musachema mambo akafa kana kumuungudzira; asi muchemere kwazvo uyo akatapwa, nokuti haachambodzoki kana kuzoonazve nyika yaakaberekerwa. Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi mwanakomana waJosia, uyo akatevera Baba vake samambo weJudha asi akabva panzvimbo ino, “Haazombodzoki. Achafira munzvimbo yavakamuendesa muutapwa; haachazombooni nyika inozve.” “Ane nhamo uyo anovaka muzinda wake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro nokusaruramisira, anoshandisa vanhu vokwake pasina chaanovapa, asingavaripiri pakushanda kwavo. Iye anoti, ‘Ndichazvivakira muzinda wakakura una makamuri okumusoro anoyevedza.’ Saka anoita mawindo makuru mairi, achiabatanidza nomusidhari, agoashongedza nezvitsvuku. “Izvozvo zvinokuita mambo here, kuva nemisidhari yakawandawanda? Ko, baba vako havana kuwana zvokudya nezvokunwa here? Iye akaita zvakarurama uye nokururamisira, saka zvose zvakamufambira zvakanaka. Akatongera varombo nevaishayiwa mhaka dzavo, nokudaro zvose zvakafamba zvakanaka. Hazvisizvo zvinoreva kundiziva here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Asi meso enyu nemwoyo yenyu zvakangotarisa chete papfuma isakarurama, pakuteura ropa risina mhosva napakumanikidza nokuita nechisimba.” Naizvozvo zvanzi naJehovha, pamusoro paJehoyakimi mwanakomana waJosia, mambo weJudha, “Havangamuchemi vachiti, ‘Yowe-e, munun'una wangu! Yowe-e, hanzvadzi yangu!’ Havangamuchemi vachiti, ‘Yowe-e, tenzi wangu! Yowe-e, ukuru hwake!’ Iye achavigwa sokuvigwa kunoitwa mbongoro, achakwekweredzwa agoraswa kure, kunze kwamasuo eJerusarema.” “Kwirai kuRebhanoni mudanidzire, inzwi renyu ngarinzwike paBhabhironi, danidzirai kubva paAbharimi, nokuti shamwari dzenyu dzose dzaparadzwa. Ndakakuyambira uchigere zvakanaka, asi iwe wakati, ‘Handidi kuteerera!’ Ndiyo yanga iri nzira yako kubva pauduku hwako; hauna kunditeerera. Mhepo ichadzingira kure vafudzi vako vose, uye shamwari dzako dzichaenda kuutapwa. Ipapo iwe uchanyara uye uchanyadziswa, nokuda kwokuipa kwako kwose. Imi mugere mu‘Rebhanoni,’ iyemi makavakirwa matendere mudzimba dzemisidhari, muchagomera sei kurwadza pakuchauya pamusoro penyu, kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka! “Zvirokwazvo, noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange kana iwe Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha, wakanga uri mhete muruoko rwangu rworudyi, ndaingokubvisa zvakadaro. Ndichakuisa mumaoko aavo vanotsvaka kukuuraya, ivo vaunotya, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvaBhabhironi. Ndichapotsera iwe namai vakakubereka kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa, uye ikoko kwamuchandofira muri vaviri. Hamuzombodzokizve kunyika yamunoshuva kudzokera kwairi.” Ko, murume uyu Jehoyakini munhu akazvidzika, ihari yakaputsika, chinhu chisina angada here? Seiko iye navana vake vapotserwa kunze, vakarasirwa munyika yavasingazivi? Iwe nyika, nyika, nyika, Inzwa shoko raJehovha! Zvanzi naJehovha, “Nyora munhu uyu seasina mwana, munhu asingazofari pamazuva oupenyu hwake, nokuti hakuna mwana wake achafara, hakuna achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, kana kutongazve maJudha.” “Vane nhamo vafudzi vari kuparadza nokuparadzira makwai amafuro angu! Ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kuvafudzi vanofudza vanhu vangu: “Nemhaka yokuti makaparadzira makwai angu mukaadzingira kure uye mukasava nehanya nawo, ndichaisa rushamhu pamusoro penyu nokuda kwezvakaipa zvamakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ini pachangu ndichaunganidza akasara amakwai angu kubva kunyika dzose dzandakanga ndaadzingira uye ndichaadzosera kumafuro awo, kwaachava nezvibereko uye kwaachawanda. Ndichagadza vafudzi pamusoro pavo vachaafudza, uye havazotyi kana kuvhunduka, uye hakuna rimwe rawo ringashayikwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mazuva achauya, ndizvo zvinotaura Jehovha, pandichamutsira Dhavhidhi Davi rakarurama, Mambo achatonga nouchenjeri nokururamisira uye nokuita zvakarurama munyika. Pamazuva ake Judha achaponeswa uye Israeri achagara norugare. Zita rake raachatumidzwa ndirori: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu. “Naizvozvo zvino mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “avasingazoti, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti,’ asi vachazoti, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa vana vaIsraeri kubva kunyika yokumusoro nokunyika dzose kwaakanga avadzingira.’ Ipapo vachagara munyika yavo.” Kana vari vaprofita: Mwoyo wangu waputsika mukati mangu; mapfupa angu ose anodedera. Ndakaita somunhu akadhakwa, somunhu akundwa newaini, nokuda kwaJehovha uye nokuda kweshoko rake dzvene. Nyika izere nemhombwe; nyika yaoma nokuda kwokutukwa uye mafuro omugwenga aoma. Vaprofita votevera nzira yakaipa uye vanoshandisa simba ravo nokusarurama. “Muprofita nomuprista vose havana umwari; kunyange mutemberi yangu ndinowana kuipa kwavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo nzira yavo ichatsvedza; vachadzingirwa kurima uye ikoko ndiko kwavachawira. Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo pagore ravacharangwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Pakati pavaprofita veSamaria ndakaona chinhu chinonyangadza ichi: Vakaprofita naBhaari, uye akatungamirira vanhu vangu vaIsraeri pakurasika. Uye pakati pavaprofita veJerusarema ndakaona chimwe chinhu chinonyangadza: Vanoita upombwe uye vanoreva nhema. Vanosimbisa maoko evaiti vezvakaipa, zvokuti hakuna anodzoka pazvakaipa zvake. Vose vakaita seSodhomu kwandiri; vanhu veJerusarema vakaita seGomora.” Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, pamusoro pavaprofita, “Ndichaita kuti vadye kudya kunovava, uye kuti vanwe mvura ine muchetura, nokuti zvichibva nokumuprofita weJerusarema, kushaya umwari kwapararira panyika yose.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Regai kuteerera zvamunoprofitirwa navaprofita; vanokuzadzai netariro dzenhema. Vanotaura zviratidzo zvinobva pandangariro dzavo, zvisingabvi mumuromo maJehovha. Vanoramba vachiti kuna avo vanondizvidza, ‘Jehovha anoti: Muchava norugare.’ Uye kuna vaya vose vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo, vanoti, ‘Hakuna chakaipa chichakuwirai.’ Asi ndiani pakati pavo akamira parangano yaJehovha, kuti aone kana kunzwa shoko rake? Ndiani akateerera akanzwa shoko rake? Tarirai, dutu raJehovha richaputika nehasha, chamupupuri chichimonera pamisoro yavakaipa. Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Pamazuva achauya muchazvinzwisisa zvakanyatsojeka. Handina kutuma vaprofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya neshoko ravo; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaprofita. Asi dai vakamira parangano yangu, vangadai vakaparidza mashoko angu kuvanhu vangu, uye vangadai vakavadzora panzira dzavo dzakaipa, napamabasa avo akaipa. “Ko, ini ndinongori Mwari ari pedyo here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndisati ndiri Mwari ari kure? Pano munhu angavanda, panzvimbo dzakavanzika zvokuti handingamuoni here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handizadzi denga nenyika here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndakanzwa zvakataurwa navaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Vanoti, ‘Ndakarota! Ndakarota!’ Ko, izvi zvicharamba zviri mumwoyo yavaprofita venhema ava kusvikira rinhi ivo vanoprofita zvokunyengera kwendangariro dzavo? Vanofunga kuti zviroto zvavanoudzana zvichaita kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu sezvakaita madzibaba avo akakanganwa zita rangu nokuda kwokunamata Bhaari. Muprofita ane chiroto ngaataure kurota kwake, asi ane shoko rangu ngaataure nokutendeka. Nokuti mashanga ane basa rei pazviyo?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Shoko rangu harina kufanana nomoto here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nenyundo inoputsanya dombo?” “Naizvozvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanobirana mashoko anofungidzirwa kuti anobva kwandiri. “Hongu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanoshandisa ndimi dzavo vachiti, ‘Jehovha ari kutaura.’ Zvirokwazvo handina ukama neavo vanoprofita zviroto zvenhema,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanovaudza uye vanotsausa vanhu vangu nenhema dzavo dzisina maturo, asi handina kuvatuma kana kuvagadza. Havambobatsiri vanhu ava napaduku pose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Pamunobvunzwa navanhu ava, vaprofita kana vaprista, vachiti, ‘Chirevo ichi chaJehovha ndecheiko?’ uti kwavari, ‘Chirevo cheiko? Ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ Kana muprofita kana muprista kana ani zvake achiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ ndicharanga munhu uyo nemhuri yake. Izvi ndizvo zvamunoramba muchitaura mumwe nomumwe wenyu kushamwari kana kuhama yake muchiti: ‘Mhinduro yaJehovha inoti kudiniko?’ kana kuti ‘Jehovha akataureiko?’ Hamufaniri kutaura ‘chirevo chaJehovha’ zvakare, nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe richava chirevo chake, uye saizvozvo munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Jehovha Wamasimba Ose, Mwari wedu. Izvi ndizvo zvamucharamba muchitaura kumuprofita muchiti: ‘Jehovha akakupindurei?’ kana kuti ‘Jehovha akataurei?’ Kunyange muchiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Makashandisa mashoko anoti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ kunyange ndakanga ndakuudzai kuti musati, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha’. Naizvozvo, zvirokwazvo ndichakukanganwai uye ndichakurasai mubve pamberi pangu imi neguta randakakupai uye namadzibaba enyu. Ndichauyisa pamusoro penyu kunyadziswa kusingaperi, nyadzi dzisingaperi dzisingazokanganikwi.” Shure kwokutapwa kwaJehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha pamwe chete namachinda, navavezi, navapfuri vesimbi veJudha vachibviswa kuJerusarema vachiendeswa kuBhabhironi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Jehovha akandiratidza tswanda mbiri dzine maonde dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha. Imwe tswanda yaiva namaonde akanaka kwazvo, akaita seaya anotanga kuibva; imwe yacho yaive namaonde akaipa chose, zvokuti akanga asingagoni kudyiwa. Ipapo Jehovha akandibvunza achiti, “Uri kuoneiko Jeremia?” Ini ndakapindura ndikati, “Maonde. Akanaka acho, akanaka kwazvo, asi akaipa acho akaipa zvokuti haangadyiwi.” Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri rikati, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri, ‘Sezvakaita maonde aya akanaka, saizvozvo ndicharangarira zvakanaka vatapwa vakabva kuJudha vandakatuma kubva panzvimbo ino ndichivaendesa kunyika yeBhabhironi. Meso angu acharingira kwavari nokuda kwokunaka kwavo, uye ndichavadzosazve munyika ino. Ndichavavaka uye handingavakoromori; ndichavasima uye handingavadzuri. Ndichavapa mwoyo wokundiziva, kuti ndini Jehovha. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo, nokuti vachadzokera kwandiri nomwoyo wavo wose. “ ‘Asi sezvakaita maonde akaipa, iwo akaipa kwazvo zvokusagona kudyiwa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘saizvozvo ndichaitira Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake, navaya vakasara muJerusarema, kunyange vakasara munyika ino kana vagere muIjipiti. Ndichavaita chinhu chinovengwa, nechinhu chakaipa kuushe hwose hwenyika, chinhu chinoshorwa, neshumo, chinhu chinosekwa nechinotukwa kwose kwose kwandinovadzingira. Ndichavatumira munondo, nzara, nehasha pamusoro pavo kusvikira vaparadzwa kubva panyika yandakavapa ivo namadzibaba avo.’ ” Shoko rakauya kuna Jeremia pamusoro pavanhu vose veJudha mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, iro rakanga riri gore rokutanga raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi. Saka Jeremia muprofita akati kuvanhu vose veJudha nokuna vose vaigara muJerusarema: Kwamakore makumi maviri namatatu, kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha kusvikira zuva ranhasi, shoko raJehovha ranga richiuya kwandiri uye ini ndikataura ndataurazve kwamuri, asi hamuna kuteerera. Uye kunyange Jehovha akatuma varanda vake kwamuri ivo vaprofita nguva nenguva, imi hamuna kuteerera kana kurereka nzeve dzenyu. Ivo vakati, “Dzokai zvino mumwe nomumwe wenyu, kubva panzira dzenyu dzakaipa nepamabasa enyu akaipa, mugogara munyika yamakapiwa naJehovha imi namadzibaba enyu nokusingaperi. Regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire nokuvanamata; murege kunditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu. Ipapo handingakuitirei zvakaipa.” “Asi imi hamuna kunditeerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye makanditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu, mukaita kuti zvakaipa zvikuwirei.” Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Nemhaka yokuti hamuna kuteerera mashoko angu, ndichadana marudzi ose okumusoro uye nomuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichavauyisa kuzorwa nenyika ino navanogaramo uye nendudzi dzose dzakavapoteredza. Ndichavaparadza zvachose uye ndichavaita chinhu chinovengwa nechinosekwa, nedongo nokusingaperi. Ndichabvisa pakati pavo manzwi okupembera nomufaro, namanzwi emwenga neechikomba, nenzwi reguyo nechiedza chemwenje. Nyika ino yose ichava dongo, uye marudzi aya achashandira mambo weBhabhironi kwemakore makumi manomwe. “Asi kana makore makumi manomwe apera, ndicharova mambo weBhabhironi norudzi rwake, nenyika yavaBhabhironi, pamusoro pemhosva yavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichaita dongo nokusingaperi. Ndichauyisa pamusoro penyika iyo zvinhu zvose zvandakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iri nezvakaprofitwa naJeremia pamusoro pendudzi dzose. Ivo pachavo vachatapwa nendudzi zhinji namadzimambo makuru; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo uye namabasa emaoko avo.” Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kwandiri: “Tora kubva muruoko rwangu mukombe uyu wakazara newaini yokutsamwa kwangu unwise ndudzi dzose dzandinokutuma kwadziri. Kana vachinge vainwa vachadzedzereka nokupenga nokuda kwomunondo wandichatuma pakati pavo.” Saka ndakatora mukombe muruoko rwaJehovha ndikaita kuti ndudzi dzose dzaakandituma kwadziri dzinwe: Jerusarema namaguta eJudha, namadzimambo, namachinda aro, kuti aitwe matongo, chinhu chinovengwa nechinosekesa, nechinotukwa, sezvaakaita iye nhasi: Faro mambo weIjipiti, navaranda vake, namachinda ake uye navanhu vake vose, navatorwa vose variko; namadzimambo ose eUzi; namadzimambo ose eFiristia (navo veAshikerani, neGaza, neEkironi, navanhu vakasiyiwa kuAshidhodhi); Edhomu neMoabhu neAmoni; namadzimambo ose eTire neSidhoni; namadzimambo emuzviwi mhiri kwegungwa; neDhedhani, neTema, neBhuzi navose vari kunzvimbo dziri kure; madzimambo ose eArabhia namadzimambo ose enyika dzavatorwa vanogara mugwenga; namadzimambo ose eZimuri, neEramu neFiristia, namadzimambo ose okumusoro vepedyo nevokure, mumwe achitevera mumwe, ushe hwose huri pamusoro penyika. Shure kwaivava vose, mambo weSheshaki achazoinwawo. “Ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Inwai mudhakwe, murutse, muwe, uye murege kuzomukazve nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.’ Asi kana vakaramba kutora mukombe muruoko rwako kuti vamwe, uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Munofanira kuinwa! Tarirai, ndava kutanga kuuyisa njodzi pamusoro peguta rinodanwa neZita rangu, ko, imi mungarega kurangwa here? Hamungaregi kurangwa nokuti ndava kudana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’ “Zvino chiprofita mashoko aya ose pamusoro pavo uchiti, ‘Jehovha achaomba ari kumusoro; achatinhira ari pachigaro chake chitsvene nokuomba zvikuru pamusoro penyika yake. Achadanidzira sezvinoita vanotsika mazambiringa, achidanidzira pavose vagere panyika. Bope richaunga kusvikira kumagumo enyika, nokuti Jehovha achapa ndudzi mhosva; achauyisa kutonga pamusoro pamarudzi ose avanhu uye achaisa vakaipa kumunondo,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Tarirai, njodzi iri kupararira ichibva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe; dutu guru rasimuka richibva kumagumo enyika.” Nenguva iyo vakaurayiwa naJehovha vachava pose pose vachibva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe. Havangachemwi kana kuunganidzwa, kana kuvigwa, asi vachava somupfudze uri pamusoro penyika. Chemai uye muungudze, imi vafudzi; umburukai muguruva, imi vatungamiriri veboka. Nokuti nguva yokuurayiwa kwenyu yasvika; muchawa mugopwanyika somudziyo wakanaka wevhu. Vafudzi vachashayiwa kwokutizira, navakuru veboka vachashayiwa kwokutizira. Inzwai kuchema kwavafudzi, nokuungudza kwavatungamiriri veboka, nokuti Jehovha ari kuparadza mafuro avo. Mabumhudza ano rugare achaparadzwa nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha. Seshumba, achabva panzvimbo yake yokuvanda, uye nyika yavo ichaparadzwa nokuda kwomunondo womumanikidzi, uye nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha. Pamazuva okutanga kubata ushe kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakabva kuna Jehovha richiti, “Zvanzi naJehovha: Mira paruvazhe rweimba yaJehovha utaure kuvanhu vose vomumaguta eJudha vanouya kuzonamata muimba yaJehovha. Uvaudze zvose zvandinokurayira, usadarikira kana shoko rimwe chete, Zvimwe vachanzwa mumwe nomumwe akadzoka panzira dzake dzakaipa. Ipapo ndichazvidemba ndikarega kuisa pamusoro pavo njodzi yandanga ndichifunga kuvaitira nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Kana musinganditeereri, uye musingateveri murayiro wangu, wandakaisa pamberi penyu, uye kana musingateereri mashoko avaranda vangu ivo vaprofita, vandakatuma ndikatumazve kwamuri (Kunyange musina kuteerera), ipapo ndichaita kuti imba ino ive seShiro uye guta rino kuti rive chinhu chinotukwa pakati pendudzi dzose dzepanyika.’ ” Vaprista navaprofita navanhu vose vakanzwa Jeremia achitaura mashoko aya ari mumba maJehovha. Asi Jeremia akati achangopedza kuudza vanhu vose zvose zvaakanga arayirwa naJehovha kuti ataure, vaprista navaprofita navanhu vose vakamubata vakati, “Unofanira kufa! Unoprofitirei muzita raJehovha uchiti imba ino ichava seShiro uye guta rino richava dongo uye richashaya anogaramo?” Vanhu vose vakaunganira Jeremia mumba maJehovha. Machinda eJudha akati anzwa nezvezvinhu izvi, vakakwira vachibva kumuzinda wamambo vakaenda kuimba yaJehovha vakandogara pamukova wepaSuo Idzva weimba yaJehovha. Ipapo vaprista navaprofita vakati kumachinda nokuvanhu vose, “Munhu uyu anofanira kutongerwa rufu nokuti akaprofita zvakaipa pamusoro peguta rino. Mazvinzwira imi nenzeve dzenyu!” Ipapo Jeremia akati kumachinda ose nokuvanhu vose, “Jehovha akandituma kuzoprofita pamusoro peimba ino napamusoro peguta rino, zvinhu zvose zvamakanzwa. Zvino, chinatsai nzira dzenyu nezviito zvenyu muteerere Jehovha Mwari wenyu. Ipapo Jehovha achazvidemba akarega kuuyisa pamusoro penyu njodzi yaakareva. Asi kana ndirini, ndiri mumaoko enyu; itai henyu zvamunofunga pamusoro pangu sezvamunoona zvakanaka uye zvakarurama. Kunyange zvakadaro hazvo, zivai kuti, kana mukandiuraya muchamisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu uye napamusoro peguta rino, nepamusoro pevose vanogara mariri, nokuti zvirokwazvo Jehovha akandituma kwamuri kuti nditaure mashoko ose aya munzeve dzenyu.” Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvaprista nokuvaprofita, “Munhu uyu haafaniri kutongerwa rufu! Ataura kwatiri muzita raJehovha Mwari wedu.” Vamwe vavakuru venyika vakasimuka vakati kuungano yose yavanhu, “Mikaya wokuMorasheti akaprofita pamazuva aHezekia mambo weJudha. Akaudza vanhu vose veJudha kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Zioni richarimwa somunda, Jerusarema richava murwi wamabwe, negomo retemberi richava chikomo, chamera miti.’ “Ko, Hezekia mambo weJudha kana mumwewo zvake weJudha ndiye akamuuraya here? Ko, Hezekia haana kutya Jehovha akatsvaka nyasha dzake here? Uye Jehovha haana kuzvidemba, akarega kuuyisa njodzi yaakanga ataura pamusoro pavo here? Tava kuda kuzviunzira dambudziko rakaipisisa pamusoro pedu!” (Zvino Uria mwanakomana waShemaya aibva kuKiriati Tearimi ndiye mumwe murume akaprofita muzita raJehovha; akaprofita zvinhu zvimwe chetezvo pamusoro peguta rino nenyika ino sezvakangoitwawo naJeremia. Mambo Jehoyakimi namakurukota ake ose namachinda ake vakati vanzwa mashoko ake, mambo akatsvaka kumuuraya. Asi Uria akazvinzwa akatya ndokubva atizira kuIjipiti. Kunyange zvakadaro, mambo Jehoyakimi akatuma Erinatani mwanakomana waAkibhori kuIjipiti, pamwe chete navamwe varume. Vakabudisa Uria kubva kuIjipiti vakamuendesa kuna Mambo Jehoyakimi uyo akaita kuti aurayiwe uye mutumbi wake ukakandwa kunzvimbo yaivigirwa vanhuwo zvavo). Pamusoro paizvozvo Ahikami mwanakomana waShafani akatsigira Jeremia, nokudaro haana kuzoiswa mumaoko avanhu kuti aurayiwe. Pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, richiti: Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha kwandiri: “Ita joko remakashu namatanda ugoriisa pamutsipa wako. Ipapo ugotuma shoko kuna mambo weEdhomu, nokuna mambo weMoabhu, noweAmoni, noweTire neSidhoni noruoko rwenhume dzinouya kuJerusarema kuna Zedhekia mambo weJudha. Uvape shoko ravanatenzi vavo uchiti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose iye Mwari waIsraeri, “Taurai izvi kuna vanatenzi venyu kuti: Ndakaita nyika navanhu vayo, nemhuka dziri mairi nesimba rangu guru uye noruoko rwakatambanudzwa, uye ndinoipa kuna ani zvake anondifadza. Zvino, ndichapa nyika dzako dzose kumuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; uye kuti kunyange zvikara zvesango zvive pasi pake. Ndudzi dzose dzichamushandira, iye nemwanakomana wake, nomuzukuru wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvika; ipapo ndudzi zhinji namadzimambo makuru achamuita muranda. “Kunyange zvakadaro, kana rudzi rupi norupi kana ushe hupi nohupi hukasazoshandira Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi kana hukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko rake, ndicharanga rudzi urwo nomunondo, nenzara uye nedenda, kusvikira ndarupedza noruoko rwake, ndizvo zvinotaura Jehovha. Saka musateerera vaprofita venyu, navavuki venyu, kana vanodudzira hope kana vafemberi kana varoyi vanokuudzai kuti, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi. Vanokuprofiterai nhema dzichangoita kuti mubviswe muendeswe kure nenyika dzenyu; ndichakudzingai uye muchaparara. Asi kana rudzi rupi norupi rukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi rukamushandira, ndichaita kuti rudzi urwo rurambe ruri munyika yarwo kuti varime vagogaramo, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ” Ndakapa shoko rimwe chetero kuna Zedhekia mambo weJudha. Ndakati, “Isa mutsipa wako pasi pejoko ramambo weBhabhironi; umushandire iye navanhu vake, ugorarama. Ko, iwe navanhu vako muchafireiko nomunondo, nenzara uye nedenda izvo zvakanzi naJehovha ndichaitira rudzi rupi norupi rucharega kushandira mambo weBhabhironi? Regai kuteerera mashoko avaprofita vanoti kwamuri, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi,’ nokuti vanokuprofitera nhema. ‘Ini handina kuvatuma,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Vari kuprofita nhema muzita rangu. Naizvozvo, ndichakudzingai, mugoparara mose imi navaprofita vanoprofita kwamuri.’ ” Ipapo ndakati kuvaprista navanhu vose ava, “Zvanzi naJehovha: Regai kuteerera vaprofita vanoti, ‘Iye zvino, nokukurumidza, midziyo yakabviswa mutemberi yaJehovha ichadzoswazve kubva kuBhabhironi.’ Vari kukuprofiterai nhema. Regai kuvateerera. Shandirai mambo weBhabhironi, mugorarama. Guta rino richaitireiko dongo? Kana vari vaprofita uye vane shoko raJehovha ngavakumbirise kuna Jehovha, Wamasimba Ose kuti midziyo yakasara muimba yaJehovha, nomumuzinda wamambo weJudha neJerusarema irege kutakurwa ichiendeswa kuBhabhironi. Nokuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose pamusoro pembiru, neGungwa, napamusoro pezvigadziko zvinofambiswa nemimwe midziyo yakasara muguta rino, zvisina kutorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi paakatapa Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha kubva kuJerusarema achimuendesa kuBhabhironi. Hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, pamusoro pezvinhu zvakasiyiwa mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo weJudha uye nomuJerusarema, “Zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi uye ndiko kwazvichagara kusvikira pazuva randichavavinga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ipapo ndichavadzosa ndigovagarisazve panzvimbo ino.’ ” Pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, mugore rechina, nomwedzi wechishanu wegore racho iroro, muprofita Hanania mwanakomana waAzuri, aibva kuGibheoni, akati kwandiri tiri mumba yaJehovha pamberi pavaprista navanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi. Makore maviri asati apera, ndichadzosa kunzvimbo ino midziyo yose yeimba yaJehovha yakanga yatorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kubva kuno akaiendesa kuBhabhironi. Ndichadzosazve kunzvimbo ino Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha navose vakatapwa kubva kuJudha, vakaenda kuBhabhironi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.’ ” Ipapo muprofita Jeremia akapindura muprofita Hanania pamberi pavaprista navanhu vose vakanga vamire muimba yaJehovha. Iye akati, “Ameni! Jehovha ngaaite izvozvo! Jehovha ngaazadzise mashoko awakaprofita, nokudzosa midziyo yeimba yaJehovha nevakatapwa vose kunzvimbo ino vachibva kuBhabhironi. Kunyange zvakadaro, chinzwa zvandinokutaurira munzeve dzako nomunzeve dzavanhu vose: Kubva kare, vaprofita vakakutangira iwe neni vakaprofitera nyika zhinji noushe ukuru pamusoro pehondo, nenjodzi uye denda. Asi muprofita anoprofita zvorugare ndiye achazivikanwa somunhu akatumwa naJehovha zvechokwadi kana chete shoko raakaprofita rikaitika.” Ipapo muprofita Hanania akabvisa joko pamutsipa womuprofita Jeremia akarivhuna, uye akati, pamberi pavanhu vose, “Zvanzi naJehovha, ‘Saizvozvi ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kubva pamutsipa wendudzi dzose makore maviri asati apera.’ ” Adaro, muprofita Jeremia akaenda hake. Mushure mokunge muprofita Hanania avhuna joko pamutsipa waJeremia, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia richiti, “Enda undoudza Hanania kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Wavhuna joko redanda, asi panzvimbo yaro uchawana joko resimbi. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, ndichaisa joko resimbi pamitsipa yendudzi idzi dzose kuti vashandire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye vachamushandira. Ndichaita kuti ave nesimba kunyange nepamusoro pezvikara zvesango.’ ” Ipapo muprofita Jeremia akati kuna Hanania muprofita, “Chinzwa, Hanania! Jehovha haana kukutuma iwe, asi wakanyengerera rudzi urwu kuti ruvimbe nenhema dzako. Naizvozvo, zvanzi naJehovha, ‘Ndava pedyo nokukubvisa pamusoro penyika. Gore iro rino chairo uchafa, nokuti wakaparidza zvinomukira Jehovha.’ ” Mumwedzi wechinomwe wegore racho iroro, muprofita Hanania akafa. Zvino aya ndiwo mashoko etsamba yakatumwa nomuprofita Jeremia kubva kuJerusarema ichienda kuvakuru vakanga vasara pakati pavatapwa, navaprista, navaprofita, navamwe vanhu vose vakanga vaendeswa muutapwa kuBhabhironi naNebhukadhinezari vachibviswa kuJerusarema. (Izvi zvakaitika shure kwokunge Mambo Jehoyakini namai vake, namachinda omuruvazhe rwamambo, navatungamiri veJudha neJerusarema, navavezi, navapfuri, vaendeswa kuutapwa vachibviswa kuJerusarema.) Akaendesa tsamba iyi noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikia, avo vakatumwa naZedhekia mambo waJudha kuna Mambo Nebhukadhinezari kuBhabhironi. Yaiti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa muutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema, “Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo. Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda. Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.” Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote. Vanokuprofiterai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti zvanzi naJehovha, “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino. Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka. Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose. Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva muutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai muutapwa.” Imi mungati henyu, “Jehovha akatimutsira vaprofita muBhabhironi,” asi zvanzi naJehovha pamusoro pamambo achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi navanhu vose vanosara vari muguta rino, vanhu venyika yenyu vasina kuenda nemi muutapwa, hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndichatuma munondo, nzara nedenda pamusoro pavo uye ndichavaita samaonde akaipa akaora zvokuti haangadyiwi. Ndichavatevera nomunondo, nzara nedenda uye ndichavaita chinhu chinovengwa noushe hwose hwenyika uye chinhu chinotukwa, nechinotyisa, nechinosekwa, nechinoshorwa pakati pendudzi dzose kwandakavadzingira. Nokuti havana kuteerera kumashoko angu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mashoko andakatuma ndatumazve kwavari navaranda vangu vaprofita. Nemiwo vakatapwa makaramba kuateerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo, chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa vandakadzingira kuBhabhironi muchibva kuJerusarema. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, pamusoro paAhabhu mwanakomana waKoraya naZedhekia mwanakomana waMaaseya, vari kukuprofitirai nhema muzita rangu, “Ndichavaisa muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye achavauraya pamberi penyu muchizviona. Nokuda kwavo, vatapwa vose vakabva kuJudha vari muBhabhironi vachashandisa chituko ichi: ‘Jehovha akuitire sezvaakaita kuna Zedhekia naAhabhu avo vakapiswa mumoto namambo weBhabhironi.’ Nokuti vakaita zvinhu zvinonyangadza muIsraeri; vakaita upombwe navakadzi vavavakidzani vavo uye vakareva nhema muzita rangu, izvo zvandisina kuvaudza kuti vaite. Ndinozviziva uye ndiri chapupu chazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Udza Shemaya muNeherami kuti, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Wakatumira matsamba muzita rako kuvanhu vose vomuJerusarema, kuna Zefania mwanakomana waMaaseya muprista, nokuna vamwe vaprista vose. Wakati kuna Zefania, ‘Jehovha akakugadza kuva muprista panzvimbo yaJehoyadha kuti uve mutariri weimba yaJehovha; unofanira kuisa muchitokisi nomumangetani munhu upi zvake anopenga achiita somuprofita. Saka wakaregererei kuranga Jeremia weAnatoti, anozviti muprofita pakati penyu? Akatuma shoko iri kwatiri paBhabhironi, achiti: Zvichatora nguva yakareba. Naizvozvo zvivakirei dzimba mugogara; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.’ ” Uye, Zefania muprista akaverengera muprofita Jeremia tsamba iyi. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, “Tumira shoko iri kuvatapwa vose, uti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya, muNeherami: Nokuda kwokuti Shemaya akuprofiterai, kunyange ini ndisina kumutuma, uye aita kuti mutende nhema, zvanzi naJehovha: Zvirokwazvo ndicharanga Shemaya muNeherami nezvizvarwa zvake. Haangavi nomunhu achasara pakati pavanhu ava, kana kuona zvinhu zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti akaparidza zvokundimukira.’ ” Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ose andakakuudza. Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichadzosa vanhu vangu, vaIsraeri navaJudha kubva muutapwa. Uye ndichavadzosera kunyika yandakapa madzitateguru avo kuti ive yavo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.’ Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha pamusoro peIsraeri neJudha: “Zvanzi naJehovha, ‘Takanzwa kuchema kunovhundusa nekwokutya, kwete kworugare. Bvunzai muone: Ko, murume angagona kusununguka mwana here? Zvino, seiko ndichiona murume mumwe, nomumwe akasimba akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi worwadziwa, zviso zvose zvachenuruka? Haiwa, zuva iro richatyisa seiko! hakuna richafanana naro. Ichava nguva yokutambudzika yaJakobho, asi iye achaponeswa pairi. “ ‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo uye ndichadambura zvisungo zvavo; havachazoitwizve varanda navatorwa. Asi, vachashumira Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo, iye wandichavamutsira. “ ‘Saka, usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka, iwe Israeri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichakuponesa uri kure zvirokwazvo, nezvizvarwa zvako kubva munyika yokutapwa kwavo. Jakobho achavazve norugare nokugara zvakanaka, uye hakuna achazomutyisa. Ndinewe uye ndichakuponesa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Kunyange hazvo ndakaparadza chose ndudzi dzose dzandakakuparadzira pakati padzo, handingazokuparadzi zvachose iwe. Ndichakuranga asi nokururamisira chete; handingakusiyi usina kurangwa zvachose.’ “Zvanzi naJehovha, ‘Ronda rako harirapiki, kukuvadzwa kwako hakupori. Hakuna anokureverera mhaka yako, vanga rako harina mushonga, hapana kuporeswa kwako. Vose vaikuda vakakukanganwa; havachina hanya newe. Ndakakurova sezvinoitwa nomuvengi ndikakuranga sezvinoitwa nouno utsinye nokuti zvivi zvako zvakawanda. Unochemeiko pamusoro pevanga rako nokurwadziswa kwako kusingarapike? Nokuda kwokukura kwemhaka yako nezvivi zvizhinji ndakaita zvinhu izvi kwauri. “ ‘Asi vose vanokudya iwe vachadyiwawo; vavengi vako vose vachaenda muutapwa. Vanokupamba, vachapambwawo; vose vanokuparadza, ndichavaparadzawo. Asi iwe ndichakudzorera pautano uye ndichaporesa maronda ako,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti iwe wakanzi murashwa, Zioni zvaro risina ane hanya naro.’ “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho uye ndigonzwira ugaro hwake tsitsi; guta richavakwazve pamatongo aro, nomuzinda uchamira panzvimbo yawo yakafanira. Nziyo dzokuvonga nenzwi romufaro zvichabva kwavari. Ndichawedzera kuwanda kwavo, uye havangatapudzwi; ndichavavigira kukudzwa, uye havangadukupiswi, Vana vavo vachava sepamazuva ekare, uye ungano yavo ichasimbiswa pamberi pangu; ndicharanga vose vanovamanikidza. Mutungamiri wavo achava mumwe wokwavo; anovabata ushe achamutswa pakati pavo. Ndichamuswededza pedyo uye iye achaswedera pedyo neni, nokuti ndianiko achazvipira kuti ave pedyo neni?’ ndizvo zvinotaura Jehovha. “ ‘Saka muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.’ ” Tarirai, dutu raJehovha richaputika mukutsamwa kwake, mhepo inovhuvhuta ichimona pamisoro yavakaipa. Kutsamwa kunotyisa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Muchanzwisisa izvozvi pamazuva anouya. “Panguva iyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wamarudzi ose aIsraeri, naivo vachava vanhu vangu.” Zvanzi naJehovha, “Vanhu vakapukunyuka pamunondo vachawana nyasha mugwenga; ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.” Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti, “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu. Ndichakuvakazve, ipapo uchavakwa, iwe Mhandara Israeri. Uchatorazve matambureni ako ugoenda kundotamba navanofara. Zvakare, muchasima minda yemizambiringa pamusoro pezvikomo zveSamaria; varimi vachaisima, vagofadzwa nezvibereko zvayo. Pachava nezuva richadanidzira nharirire dziri pamusoro pezvikomo zveEfuremu, dzichiti, ‘Uyai, ngatikwirei kuZioni, kuna Jehovha Mwari wedu.’ ” Zvanzi naJehovha, “Imbirai Jakobho nomufaro; pururudzirai mukuru wendudzi. Paridzai, rumbidzai, muchiti, ‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsraeri.’ Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika. Pakati pavo pachava namapofu nezvirema, navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa; boka guru richadzoka kuno. Vachauya vachichema; vachanyengetera pandinenge ndichivadzosa. Ndichavafambisa nepahova dzemvura, napanzira yakati chechetere yavasingagumburwi, nokuti ndiri baba vaIsraeri, uye Efuremu ndiye dangwe rangu. “Inzwai shoko raJehovha imi ndudzi dzose; Muriparidze kuzviwi zviri kure muchiti, “Iye akaparadzira Israeri ndiye achavaunganidza, uye achavachengeta somufudzi anochengeta boka ramakwai ake.’ Nokuti Jehovha achasunungura Jakobho, uye agovadzikinura kubva muruoko rwaivo vane simba kupinda ivo. Vachauya vachipembera nomufaro pamusoro peZioni; vachafara nokupa zvakanaka kwaJehovha, nokuda kwezviyo, newaini itsva uye mafuta, namakwayana uye nemombe. Vachafanana nebindu rakanyatsodiridzwa, uye havachazosuwizve. Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara, majaya navatana vachafarawo. Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro; ndichavanyaradza nokuvapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa. Ndichagutsa vaprista nezvakawanda, uye vanhu vangu vachazadzwa nokupa zvakanaka kwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvanzi naJehovha, “Inzwi rinonzwikwa muRama, rokuungudza nokuchema kukuru, Rakeri achichema vana vake uye achiramba kunyaradzwa, nokuti vana vake havachipo.” Zvanzi naJehovha, “Dzora inzwi rako pakuchema nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi. Saka ramangwana rako rine tariro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vana vako vachadzokera kunyika yavo.” “Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti, ‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa, nokudaro ndakarangwa. Ndidzorei, ipapo ndichadzoka, nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu. Mushure mokutsauka kwangu, ndakatendeuka; ndakati ndanzwisisa ndikazvirova chipfuva. Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’ Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa, mwana anondifadza here? Kunyange dai ndichimbomutuka hangu, ndinoramba ndichimurangarira. Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva; ndinomunzwira tsitsi kwazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvimisirei shongwe dzenzira: Misai zvikwangwani. Cherechedzai mugwagwa mukuru, mugwagwa wamakafamba nawo. Dzoka, iwe Mhandara Israeri, dzokera kumaguta ako. Uchadzungaira kusvikira rinhiko, iwe mhandara yokusatendeka? Jehovha achasika chinhu chitsva panyika, zvokuti mukadzi achambundikira murume.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Pandichavadzosazve pakutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’ Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo. Ndichasimbisa vanenge vaneta nokugutsa vanenge vaziya.” Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka. “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka. Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, nokuwisira pasi, nokuparadza, nokuuyisa njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake nokusima,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mumazuva iwayo vanhu havangazoti, ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino avana akaita hwadzira.’ Asi, mumwe nomumwe achafa nokuda kwezvakaipa zvake; ani naani anodya mazambiringa anovava, mazino ake achaita hwadzira. “Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha. Haingazofanani nesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata ruoko kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, nokuti vakaputsa sungano yangu, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo, ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’ nokuti vose vachamuziva, kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo, uye handingarangaririzve zvivi zvavo.” Zvanzi naJehovha, iye anogadza zuva kuti rivhenekere masikati, anoisa chirevo kumwedzi nenyeredzi kuti zvivhenekere usiku, iye anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose, ndiro zita rake: “Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndiko kuti zvizvarwa zvigume kuva rudzi pamberi pangu.” Zvanzi naJehovha, “Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa, uye mhepo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa, ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraeri, nokuda kwezvose zvavakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichavakirazve guta kubva paShongwe yeHananeri kusvikira paSuo reKona. Rwodzi rwokuyera ruchatandavara kubva ipapo kusvikira kuchikomo cheGarebhi ndokudzoka ruchisvika kuGoa. Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.” Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha negore rechigumi raZedhekia mambo weJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhinezari. Hondo yamambo Nebhukadhinezari yakanga yakakomberedza Jerusarema, uye Jeremia muprofita akanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi rwakanga rwuri mumuzinda wamambo weJudha. Zvino Zedhekia mambo weJudha akanga amupfigira imomo, achiti, “Unoprofitirei sezvaunoita? Unoti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava kuda kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi, uye acharipamba. Zedhekia mambo weJudha haangapukunyuki pamaoko avaBhabhironi, asi zvirokwazvo achaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, vagotaurirana vakatarisana chiso nechiso achimuona nemeso ake. Iye achaendesa Zedhekia kuBhabhironi, kwaachagara kusvikira ndagadzirisana naye, ndizvo zvinotaura Jehovha. Kana ukarwa navaBhabhironi haungavakundi.’ ” Jeremia akati, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: Hanameri mwanakomana wasekuru vako Sharumi achauya kwauri achiti, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti, nokuti sezvo uriwe hama yepedyo, ndiwe une kodzero yokuutenga.’ “Ipapo, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha, sekuru wangu Hanameri akauya kwandiri ndiri muruvazhe rwavarindi akati, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti munyika yeBhenjamini. Chizvitengera iwe kuti uve wako sezvo uriwe une kodzero yokuudzikinura.’ “Ndakazviziva kuti iri raiva shoko raJehovha; saka ndakatenga munda waiva paAnatoti kubva kuna sekuru wangu Hanameri ndokumuyerera mashekeri gumi namanomwea esirivha. Ndakanyora rugwaro rwokutenga ndikarunama, ndikaita kuti pave nezvapupu, ndikamuyerera sirivha pazviyero. Ndakatora gwaro rokutengeserana, riya rakanga rakanamwa riine mirayiro nezvimwe, pamwe chete neriya rakanga risina kunamwa, ndokupa gwaro iri kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, pamberi paHanameri mwanakomana wasekuru vangu napamberi pezvapupu zvakanga zvaisa runyoro pagwaro rokutengeserana, napamberi pavaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi. “Ndakarayira Bharuki pamberi pavo, ndichiti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Tora magwaro aya, okutengeserana ari maviri akanamwa neasina kunamwa, ugoisa muhari yevhu kuitira kuti agare kwamazuva mazhinji. Nokuti zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Dzimba, minda, uye minda yemizambiringa zvichatengwazve munyika ino.’ “Mushure mokunge ndapa Bharuki mwanakomana waNeria gwaro rokutengeserana, ndakanyengetera kuna Jehovha, ndichiti: Haiwa, Ishe Jehovha, ndimi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hakuna chinhu chakaoma kwamuri. Imi munoratidza rudo rwenyu kuzviuru nezviuru asi muchiuyisa shamhu yezvivi zvamadzibaba pamakumbo avana vavo vanovatevera. Haiwa imi Mwari mukuru ane simba guru, mune zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose, zvinangwa zvenyu zvikuru uye mabasa enyu makuru. Meso enyu akasvinurira nzira dzose dzavanhu; munopa mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake uye nezvakafanira mabasa ake. Makaita zviratidzo nezvishamiso muIjipiti uye mukaramba muchizviita kusvikira pazuva ranhasi, pakati peIsraeri napakati pendudzi dzimwe dzose, uye mukazviwanira mukurumbira sezvazvakaita nanhasi. Makabudisa vanhu venyu veIsraeri kubva muIjipiti nezviratidzo nezvishamiso, noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru. Makavapa nyika ino yamakanga mapikira kupa madzibaba avo, nyika inoyerera mukaka nouchi. Vakapinda vakaitora kuti ive yavo, asi havana kukuteererai kana kutevera murayiro wenyu; havana kuita zvamakanga mavarayira kuti vaite. Saka makauyisa njodzi yose iyi pamusoro pavo. “Tarirai mavakirwo ari kuitwa mirwi yokukomba kuti vatore guta. Nokuda kwomunondo, nenzara uye denda, guta richaiswa mumaoko avaBhabhironi vari, kurirwisa. Zvamakataura zvaitika sezvamuri kuona zvino. Kunyange hazvo guta rino richizoiswa mumaoko avaBhabhironi, imi, Ishe Jehovha makati kwandiri, ‘Zvitengere munda nesirivha uye uite kuti zvapupu zvivepo pakutengeserana uku.’ ” Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia, richiti, “Ndini Jehovha, Mwari wavanhu vose. Ko, pane chinhu chingandiomera here? Naizvozvo zvanzi naJehovha: ndava pedyo nokuisa guta rino mumaoko avaBhabhironi, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uyo acharikunda. VaBhabhironi vari kurwisa guta rino vachauya vagopinda vagotungidza nomoto; vacharipisa, pamwe chete nedzimba dzavanhu vakanditsamwisa nokupisira zvinonhuwira kuna Bhaari pamusoro pamatenga adzo nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari. “Vanhu veIsraeri navanhu veJudha havana kugona kuita chinhu chakanaka asi zvakaipa chete pamberi pangu kubva pauduku hwavo; zvirokwazvo vanhu veIsraeri havana kumbogona kuita zvakanaka asi vakanditsamwisa nezvavakaita namaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha. Kubva pazuva rakavakwa guta rino kusvikira zvino, guta rino rakamutsa hasha dzangu nokunditsamwisa zvikuru zvokuti ndinofanira kuribvisa pamberi pangu. Vanhu veIsraeri navanhu veJudha vakanditsamwisa nezvakaipa zvose zvavakaita, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navaprista vavo, navaprofita vavo, ivo vanhu veJudha navanhu veJerusarema. Vakandifuratira uye havana kunditarisa nezviso zvavo; kunyange ndakavadzidzisa ndadzidzisazve, havana kuteerera kana kutsiurika. Vakaisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakatumidzwa Zita rangu vakaisvibisa. Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakakwirira muMupata weBheni Hinomi kuti vabayire vanakomana navanasikana vavo kuna Moreki, kunyange ndisina kuvarayira, kana kuzviisa mupfungwa dzangu, kuti vaite chinhu chinonyangadza zvakadai, nokudaro vagoita kuti Judha atadze. “Imi munotaura pamusoro peguta rino muchiti, ‘Guta rino richaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, nomunondo, nenzara, uye nedenda; zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Zvirokwazvo ndichavaunganidza kubva kunyika dzose dzandakanga ndavadzingira pakutsamwa kwangu kukuru nehasha dzangu huru; ndichavadzosazve kunzvimbo ino ndigovagarisa zvakanaka. Vachava vanhu vangu, ini ndichava Mwari wavo. Ndichavapa mwoyo mumwe namaitiro mamwe, kuitira kuti vagare vachinditya zvigovanakira ivo navana vavo vanovatevera. Ndichaita sungano isingaperi navo: handingatongomiri pakuvaitira zvakanaka uye ndichavakurudzira kuti vanditye, kuitira kuti varege kuzotsauka kubva kwandiri. Ndichafarira kuvaitira zvakanaka uye zvirokwazvo ndichavasima munyika ino, nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose. “Zvanzi naJehovha: Sezvandakauyisa njodzi huru yose iyi pamusoro pavanhu ava, saizvozvo ndichavapa kubudirira kwose kwandakavavimbisa. Zvakare, minda ichatengwa munyika ino yamunoti, ‘Idongo, haina vanhu kana zvipfuwo, nokuti yakaiswa mumaoko avaBhabhironi.’ Minda ichatengwa nesirivha, uye magwaro okutengeserana achanyorwa, nokunamwa agopupurirwa munyika yeBhenjamini, mumisha yakapoteredza Jerusarema, nomumaguta eJudha nomumaguta omunyika yezvikomo, nomujinga mezvikomo zvokumavirira, nokuNegevhi, nokuti ndichadzosazve pfuma yavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kechipiri kuna Jeremia panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi richiti, “Zvanzi naJehovha, iye akaita nyika, naiye akaiumba nokuisimbisa, Jehovha ndiro zita rake, ‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’ Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta uye minondo, mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose. “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda nokuchengetedzeka. Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva muutapwa ndivavakezve sepakutanga. Ndichavanatsa pachivi chose chavakanditadzira ndigovakanganwira zvivi zvavo zvose zvokundimukira. Ipapo guta rino richandivigira mbiri, nomufaro, nokurumbidzwa uye kukudzwa pamberi pendudzi dzose dzepanyika dzinonzwa nezvakanaka zvose zvandinoriitira; dzigotya nokudedera pamusoro pokuwanda kwokubudirira norugare rwandinoripa.’ “Zvanzi naJehovha, ‘Munoti pamusoro penzvimbo ino, “Yaparara, haina vanhu vanogaramo kana mhuka dzinogaramo.” Asi mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema makasiyiwa musina chinhu, musingachagarwi navanhu kana nemhuka, muchanzwikwazve manzwi nomufaro nokufarisisa, namanzwi emwenga nechikomba, namanzwi avaya vanouya nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha, vachiti, “Vongai Jehovha Wamasimba Ose, nokuti Jehovha akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Nokuti ndichadzosazve pfuma yenyika iyi sezvayaiva iri kare, ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Munzvimbo ino, yakaparara uye isina vanhu kana mhuka, mumaguta ayo ose aripo muchava namafuro avafudzi okuvatisa makwai avo. Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwunoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. “ ‘Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, andichazadzisa chivimbiso chenyasha chandakaita kuimba yaIsraeri nokuimba yaJudha. “ ‘Mumazuva iwayo uye nenguva iyoyo ndichameresa Davi rakarurama rinobva kurudzi rwaDhavhidhi; iye achatonga nyika nokururamisira uye nokururama. Mumazuva iwayo Judha achaponeswa, uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka. Iri ndiro zita rarichatumidzwa: ‘Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’ Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri, Kana vaprista, vorudzi rwaRevhi, havangashayiwi munhu angamira pamberi pangu nguva dzose kuti apisire zvipiriso, nokupisa zvipiriso zvezviyo nokugara achipa zvibayiro.’ ” Shoko raJehovha kuna Jeremia, richiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Kana mukagona kuputsa sungano yangu namasikati uye sungano yangu nousiku, zvokuti masikati nousiku zvirege kuvapo nenguva yakatarwa, ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu, nesungano yangu navaRevhi avo vanova vaprista vanoshumira pamberi pangu, ingagona kuputsika uye Dhavhidhi haangazovizve nomwanakomana angatonga ari pachigaro chake choushe. Ndichawanza vana vomuranda wangu Dhavhidhi navaRevhi vanoshumira pamberi pangu zvokusaverengeka senyeredzi dzedenga uye zvokusagona kuyerwa sejecha regungwa.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, “Hauna kucherechedza here kuti vanhu ava vanoti, ‘Jehovha akaramba umambo hwose huri huviri hwaakanga asarudza’? Saka vari kushora vanhu vangu nokusavaona sorudzi. Zvanzi naJehovha, ‘Kana ndikasasimbisa sungano yangu namasikati nousiku nemitemo yakatemwa yematenga napasi, ipapo ndicharamba vana vaJakobho naDhavhidhi muranda wangu uye handingasarudzi mumwe wavanakomana vake kuti abate ushe pamusoro pavana vaAbhurahama, naIsaka naJakobho. Nokuti ndichadzosa nhaka yavo uye ndichavanzwira tsitsi.’ ” Shoko iri rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nehondo yake yose, noushe hwose hwapanyika hwaakanga akabata, navanhu vose, achirwa neJerusarema namaguta ose airipoteredza, richiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Enda kuna Zedhekia mambo weJudha umuudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava pedyo nokuisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa. Iwe haungapukunyuki muruoko rwake asi zvirokwazvo uchabatwa ugoiswa mumaoko ake. Uchaona mambo weBhabhironi nemeso ako, uye achataura newe makatarisana. Uye iwe uchaenda kuBhabhironi. “ ‘Asi chinzwa chivimbiso chaJehovha, iwe Zedhekia mambo weJudha. Zvanzi naJehovha pamusoro pako iwe: Haungafi nomunondo; uchafa murunyararo. Vanhu sezvavakavesa moto pamariro vachiremekedza madzibaba ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachavesa moto vachikuremekedza vagochema vachiti, “Yowe-e, nhai tenzi!” Ndini pachangu ndavimbisa izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ” Ipapo muprofita Jeremia akataurira Zedhekia mambo weJudha zvose izvi, ari muJerusarema, hondo yamambo weBhabhironi payakanga ichirwa neJerusarema namamwe maguta eJudha akanga achakashingirira, Rakishi neAzeka. Aya ndiwo chete maguta akanga asara muJudha akakomberedzwa namasango. Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokunge Mambo Zedhekia, aita sungano navanhu vose vemuJerusarema kuti vadanidzire kusunungurwa kwenhapwa. Mumwe nomumwe aifanira kusunungura varanda vake vechiHebheru, vose varume navakadzi; hakuna aifanira kurega hama yake yechiJudha iri pausungwa. Saka machinda ose navanhu vose vakapinda pasungano iyi, vakatenderana ndokuvasunungura. Asi mushure maizvozvo vakashandura pfungwa dzavo, vakadzosa nhapwa dzavakanga vasunungura ndokuvaita varanda zvakare. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Ndakaita sungano namadzitateguru enyu pandakavabudisa muIjipiti, munyika youranda. Ndakati, ‘Gore rechinomwe roga roga, mumwe nomumwe wenyu anofanira kusunungura hama ipi zvayo yechiHebheru yakazvitengesa kwauri. Mushure mokukushandira makore matanhatu, unofanira kumuregedza aende. Kunyange zvakadaro, madzibaba enyu, haana kunditeerera kana kundirerekera nzeve dzavo. Izvozvi matendeuka mukaita zvakanaka pamberi pangu: Mumwe nomumwe wenyu akadanidzira rusununguko kuvanhu venyika yokwake. Makabva maita sungano pamberi pangu muimba inodanwa neZita rangu. Asi zvino mashanduka ndokuzvidza zita rangu; mumwe nomumwe wenyu adzosa nhapwa dzavarume navakadzi vamakanga masunungura kuti vaende kwavaida. Makavamanikidza kuti vave nhapwa dzenyu zvakare. “Naizvozvo zvanzi naJehovha: Hamuna kunditeerera; hamuna kudanidzira rusununguko kuvanhu venyika yokwenyu. Saka, zvino ini ndava kukudanidzirai rusununguko, ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘rusununguko’ rwokufa nomunondo, nenzara uye nedenda. Ndichakuitai chinhu chinonyangadza kuushe hwose hwenyika. Vanhu vakadarika sungano yangu, uye vakasazadzisa zvakatemwa zvesungano yavakaita pamberi pangu, ndichavaita semhuru yavakagura kuita mapandi maviri vakafamba napakati pamapandi acho. Vatungamiri veJudha neJerusarema, namachinda omuruvazhe, navaprista navanhu vose venyika vakafamba napakati pamapandi emhuru, Ndichavaisa mumaoko avavengi vavo ivo vanotsvaka kuvauraya. Zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nezvikara zvenyika. “Ndichaisa Zedhekia mambo weJudha namachinda ake mumaoko avavengi vavo avo vanotsvaka kuvauraya, nomumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iyo yakabva kwamuri. Ndicharayira, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye ndichavadzosa kuguta rino. Vacharwa naro, vagorikunda, nokuripisa. Uye ndichaparadza maguta eJudha, zvokuti hakuna angagaramo.” Iri ndiro shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha pamazuva okutonga kwaJehoyakimi, mwanakomana waJosia mambo weJudha, richiti, “Enda kumhuri yavaRekabhi undovakoka kuti vauye mune rimwe kamuri raparutivi rweimba yaJehovha ugovapa waini vanwe.” Saka ndakaenda ndikandotora Jaazania mwanakomana waJeremia, mwanakomana waHabhazinia, nehama dzake uye navakomana vake vose, mhuri yose yavaRekabhi. Ndakavapinza mumba maJehovha, mukamuri ravanakomana vaHanani mwanakomana waIgidharia munhu waMwari. Yakanga iri pedyo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro peyaMaaseya mwanakomana waSharumi, mutariri womukova. Ipapo ndakagadzika hari dzizere newaini nemikombe pamberi pavarume vemhuri yavaRekabhi ndikati kwavari, “Inwai waini.” Asi ivo vakapindura vakati, “Hatinwi waini, nokuti tateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akatipa murayiro uyu wokuti, ‘Imi kana vana venyu hamufaniri kunwa waini zvachose. Zvakare, hamufaniri kutombovaka dzimba, kana kudyara mbeu kana kurima minda yemizambiringa; hamufaniri kuva nechimwe chezvinhu izvi, asi munofanira kugara mumatende nguva dzose. Ipapo muchararama mazuva akawanda munyika iyo yamuri vatorwa.’ Takateerera zvose zvatakarayirwa natateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi. Hapana akambonwa waini, isu kana vakadzi vedu, kana vanakomana vedu, kana vanasikana vedu, kana kuvaka dzimba dzokugara, kana kuva neminda yemizambiringa, kana minda, kana mbeu. Takagara mumatende uye takanyatsoteerera zvose zvatakarayirwa natateguru wedu Jonadhabhi. Asi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akati apinda munyika ino, isu takati, ‘Uyai, tiende kuJerusarema titize hondo yavaBhabhironi neyavaAramu.’ Saka takaramba tiri muJerusarema.” Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, “Zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Enda undoudza varume veJudha navanhu veJerusarema kuti, ‘Hamudzidziwo chidzidzo here mugoteerera mashoko angu?’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akarayira vanakomana vake kuti varege kunwa waini uye murayiro uyu wanga uchingochengetwa. Kusvikira zuva ranhasi havanwi waini, nokuti vanoteerera murayiro watateguru wavo. Asi ini ndakataura ndataurazve nemi, asi hamuna kunditeerera. Ini ndakatuma ndatumazve kwamuri varanda vangu vose ivo vaprofita. Ivo vakati kwamuri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kudzoka panzira dzakaipa dzake dzose mugonatsa zviito zvenyu; murege kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire. Ipapo muchagara munyika yandakakupai imi namadzibaba enyu.” Asi hamuna kumborerekera nzeve dzenyu kwandiri kana kundinzwa. Zvizvarwa zvaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakachengeta murayiro wavakapiwa natateguru wavo, asi vanhu ava havana kunditeerera.’ “Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, ‘Inzwai! Ndava kuuyisa pamusoro peJudha napamusoro pavose vagere muJerusarema njodzi dzose dzandakareva pamusoro pavo. Ndakataura kwavari, asi havana kuteerera; ndakavadana, asi havana kudavira.’ ” Ipapo Jeremia akati kumhuri yavaRekabhi, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Makateerera murayiro watateguru wenyu Jonadhabhi nokutevera zvaakarayira zvose uye mukaita zvose zvaakatema.’ Naizvozvo, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangamboshayiwi munhu angandishumira.’ ” Mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, richiti, “Tora rugwaro rwakapetwa unyoremo mashoko ose andakataura kwauri pamusoro peIsraeri, napamusoro peJudha nedzimwe ndudzi dzose kubvira panguva yandakatanga kutaura kwauri panguva yokutonga kwaJosia kusvikira iye zvino. Zvimwe vanhu veJudha vakanzwa pamusoro penjodzi imwe neimwe yandakaronga kuisa pamusoro pavo, vangadzoka mumwe nomumwe wavo kubva pazvakaipa zvake; ipapo ndichavakanganwira zvakaipa zvavo nechivi chavo.” Saka Jeremia akadana Bharuki mwanakomana waNeria, uye Jeremia, paaimuverengera mashoko ose akanga ataurwa naJehovha kwaari, Bharuki ainge achianyora murugwaro rwakapetwa. Ipapo Jeremia akataurira Sharuki, akati, “Ini ndakadziviswa, handigoni kuenda kutemberi yaJehovha. Saka iwe enda kuimba yaJehovha pazuva rokutsanya undoverengera vanhu mashoko aJehovha awakanyora murugwaro rwakapetwa ini ndichikutaurira. Uverengere vanhu vose veJudha vanouya vachibva kumaguta avo. Zvimwe vanganyengetera kuna Jehovha uye mumwe nomumwe wavo achadzoka kubva panzira dzake dzakaipa, nokuti kutsamwa nehasha dzakarehwa naJehovha pamusoro pavanhu ava kukuru.” Bharuki mwanakomana waNeria akaita zvose zvaakataurirwa nomuprofita Jeremia kuti aite; akarava mashoko aJehovha kubva murugwaro rwakapetwa, ari patemberi yaJehovha. Mumwedzi wechipfumbamwe wegore rechishanu raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, nguva yokutsanya pamberi paJehovha yakadanidzirwa kuvanhu vose muJerusarema navose vakanga vabva kumaguta eJudha. Bharuki akaverengera vanhu vose mashoko aJeremia aiva murugwaro rwakapetwa, ari mumba maJehovha, mukamuri yaGemaria mwanakomana waShafani munyori, yaiva muruvazhe rwokumusoro pamuromo weSuo Idzva retemberi yaJehovha. Mikaya mwanakomana waGemaria, mwanakomana waShafani, akati anzwa mashoko ose aJehovha aibva murugwaro rwakapetwa, akaburuka akaenda kukamuri romunyori mumuzinda wamambo, makanga mugere machinda ose, aiti: Erishama munyori, Dheraya mwanakomana waShemaya, Erinatani mwanakomana waAkibhori, Gemaria mwanakomana waShafani, Zedhekia mwanakomana waHanania, nemamwe machinda ose. Mushure mokunge Mikaya avaudza zvose zvaakanga anzwa Bharuki achiverengera vanhu kubva murugwaro rwakapetwa, machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetamia, mwanakomana waSheremia, mwanakomana waKushi, kundoti kuna Bharuki, “Tora rugwaro rwakapetwa rwawaverengera vanhu, ugouya kuno.” Saka Bharuki mwanakomana waNeria akaenda kwavari norugwaro rwakapetwa muruoko rwake. Ivo vakati kwaari, “Tapota, gara pasi utiverengerewo.” Saka Bharuki akavaverengera. Vakati vanzwa mashoko ose aya, vakatarisana vachitya ndokuti kuna Bharuki, “Tinofanira kuzivisa mashoko ose aya kuna mambo.” Ipapo vakabvunza Bharuki, vakati, “Tiudze, wakanyora sei izvi zvose? Jeremia ndiye akakutaurira here?” Bharuki akapindura akati, “Hongu, akanditaurira mashoko ose aya, ini ndikaanyora neingi murugwaro rwakapetwa.” Ipapo machinda akati kuna Bharuki, “Iwe naJeremia endai mundovanda. Ngakurege kuva nomunhu anoziva kwamunenge muri.” Vakati vaisa rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama, vakaenda kuna mambo muruvazhe ndokumuzivisa mashoko ose. Mambo akatuma Jehudhi kundotora rugwaro rwakapetwa, Jehudhi ndokurutora mukamuri yaErishama munyori ndokuverengera mambo namachinda ose akanga amire parutivi rwake. Wakanga uri mwedzi wechipfumbamwe uye mambo akanga akagara muimba yakavakirwa nguva yechando, moto uchipfuta mumbaura yaiva pamberi pake. Jehudhi aiti kana apedza kuverenga zvikamu zvitatu kana zvina zvorugwaro rwakapetwa, mambo aibva azvicheka nebanga ozvikanda mumbaura, kusvikira gwaro rose rapiswa mumoto. Mambo navaranda vake vose vakanzwa mashoko aya ose havana kumboratidza kutya, kana kubvarura nguo dzavo. Kunyange hazvo Erinatani, Dheraya, naGemaria vakakurudzira mambo kuti arege kupisa rugwaro rwakapetwa haana kuda kuvanzwa. Pachinzvimbo chezvo, mambo akarayira Jerameeri, mwanakomana wamambo, naSeraya mwanakomana waAzirieri naSheremia mwanakomana waAbhudhieri kuti asunge Bharuki munyori naJeremia muprofita. Asi Jehovha akanga avaviga. Mambo akati apisa rugwaro rwakapetwa rwaiva namashoko akanga anyorwa naBharuki achitaurirwa naJeremia, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, “Tora rumwe rugwaro rwakapetwa unyore pamusoro parwo mashoko ose akanga ari parugwaro rwokutanga rwuya rwakapiswa naJehoyakimi mambo weJudha. Uyezve uudze Jehoyakimi mambo weJudha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Wakapisa rugwaro rwuya uchiti, “Wakanyorerei parwuri uchiti zvirokwazvo mambo weBhabhironi achauya kuzoparadza nyika ino nokuparadza zvose vanhu nezvipfuwo?” Naizvozvo, zvanzi naJehovha pamusoro paJehoyakimi mambo weJudha: Haangawani mumwe achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi; mutumbi wake uchakandwa kunze kunopisa masikati uye kune chando usiku. Ndichamuranga navana vake uye navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo navose vanogara muJerusarema navanhu veJudha njodzi imwe neimwe yandakareva pamusoro pavo, nokuti havana kuteerera.’ ” Saka Jeremia akatora rumwe rugwaro rwakapetwa ndokurupa kuna Bharuki munyori, mwanakomana waNeria, Bharuki ndokunyora pamusoro parwo mashoko ose orugwaro rwakanga rwapiswa naJehoyakimi, mambo weJudha, Jeremia achimutaurira. Mashoko akawanda akafanana nawo akawedzerwa. Zedhekia mwanakomana waJosia akagadzwa kuva mambo weJudha naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi; iye akabata ushe panzvimbo yaJehoyakini mwanakomana waJehoyakimi. Asi iye kana varanda vake kana vanhu venyika iyoyo, havana kuteerera mashoko akanga ataurwa naJehovha kubudikidza naJeremia muprofita. Kunyange zvakadaro, mambo Zedhekia akatuma Jehukari mwanakomana waSheremia, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya kuna Jeremia muprofita namashoko aya: “Ndapota tinyengetererewo kuna Jehovha Mwari wedu.” Zvino Jeremia akanga akasununguka kupinda nokubuda pakati pavanhu, nokuti akanga asati apfigirwa mutorongo. Hondo yaFaro yakanga yauya ichibva kuIjipiti, zvino vaBhabhironi vakanga vakakomba Jerusarema vakati vanzwa shoko pamusoro pavo, vakabva paJerusarema. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita, richiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udza mambo weJudha, iye akakutuma kuzondibvunza, kuti, ‘Hondo yaFaro yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera kuIjipiti kunyika yavo. Ipapo vaBhabhironi vachadzokazve vagorwisa guta rino; vacharikunda vagoripisa nomoto.’ “Zvanzi naJehovha: Musazvinyengera muchifunga kuti, ‘Zvirokwazvo vaBhabhironi vachabva kwatiri.’ Kwete, havangabvi! Kunyange dai mungakunda hondo yose yavaBhabhironi iri kukurwisai uye kugosara vakakuvara bedzi mumatende, ivavo vachauya vakapisa guta rino.” Shure kwokubva kwehondo yavaBhabhironi muJerusarema nokuda kwehondo yaFaro, Jeremia akatanga kubuda muguta kuti aende kunyika yeBhenjamini kundotora mugove wake wenhaka pakati pavanhu ikoko. Asi akati asvika paSuo raBhenjamini, mukuru wavarindi, ainzi Irija mwanakomana waSheremia, mwanakomana waHanania, akamusunga ndokuti, “Iwe wava kutiza uchienda kuvaBhabhironi!” Jeremia akati, “Handizvo, kwete! Handizi kutiza ndichienda kuvaBhabhironi!” Asi Irija haana kuda kumunzwa; asi akasunga Jeremia ndokumuendesa kumachinda. Ivo vakatsamwira Jeremia vakaita kuti arohwe uye kuti aiswe mutorongo mumba maJonatani munyori, yavakanga vaita torongo. Jeremia akaiswa mutorongo romugomba, umo maakagara nguva yakareba. Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume kundomutora akaita kuti aiswe kumuzinda, kwaakamubvunza pakavanda, achiti, “Pane shoko rabva kuna Jehovha here?” Jeremia akapindura akati, “Hongu, muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.” Ipapo Jeremia akati kuna Mambo Zedhekia, “Mhaka yandakapara nemi kana machinda enyu kana navanhu ava, ndeyeiko kuti mundipfigire mutorongo? Varipiko vaprofita venyu vakakuprofiterai vachiti, “Mambo weBhabhironi haazi kuzokurwisai kana kurwisa nyika ino? Asi zvino ishe wangu mambo, ndapota inzwai. Regai ndisvitse kwamuri chikumbiro changu: Musandidzoserazve kumba kwaJonatani munyori nokuti ndingafirako.” Ipapo mambo Zedhekia akarayira kuti Jeremia aiswe muruvazhe rwavarindi uye kuti apiwe chingwa chaibva mumugwagwa wavabiki zuva rimwe nerimwe kusvikira musisina chingwa muguta. Saka Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi. Shefania mwanakomana waMatani naGedharia mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikija vakanzwa zvaitaurwa naJeremia kuvanhu vose paakati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana denda, asi ani naani achazvipira kuvaBhabhironi achararama. Achatiza noupenyu hwake; iye achararama.’ Zvakare, zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, ndiye acharikunda.’ ” Ipapo machinda akati kuna mambo, “Munhu uyu anofanira kufa. Ari kuodza mwoyo yavarwi vakasara muguta rino, pamwe chete navanhu vose, nezvinhu zvaanotaura kwavari. Uyu munhu haatsvaki zvakanakira vanhu ava asi kuparadzwa kwavo.” Mambo Zedhekia akapindura akati, “Ari mumaoko enyu, Mambo haana zvaangagona kupikisana nemi.” Saka vakatora Jeremia vakamuisa mugomba raMarikija, mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi. Vakaburutsira Jeremia mugomba netambo: rakanga risina mvura mariri, asi madhaka bedzi, nokudaro Jeremia akanyura mumadhaka. Asi Ebhedhi-Mereki muEtiopia aiva muchinda mumuzinda woushe, akazvinzwa kuti vakanga vaisa Jeremia mugomba. Panguva yakanga yakagara mambo paSuo raBhenjamini, Ebhedhi-Mereki akabuda mumuzinda woushe akati kwaari, “Ishe wangu mambo, varume ava vakaita zvakaipa kwazvo pane zvose zvavakaita kumuprofita Jeremia. Vakamukanda mugomba umo maachaziya nenzara akafa kana chingwa chapera muguta.” Ipapo mambo akarayira Ebhedhi-Mereki muEtiopia, akati, “Tora varume makumi matatu pano uende navo mundobudisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.” Saka Ebhedhi-Mereki akatora varume akaenda navo kumba yaiva pasi pechivigiro chepfuma mumuzinda wamambo. Akatorawo mamvemve nenguo tsaru kubva ipapo ndokuzvidzikisa pasi netambo kuna Jeremia mugomba. EbhedhiMereki muEtiopia akati kuna Jeremia, “Isa mamvemve nenguo dzakasakara idzi muhapwa dzako kuti zviputire tambo.” Jeremia akaita saizvozvo, ndokubva vamukweva netambo ndokumubudisa kubva mugomba. Nokudaro Jeremia akaramba ari paruvazhe rwavarindi. Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muprofita Jeremia pamukova wechitatu wokupinda patemberi yaJehovha. Mambo akati kuna Jeremia, “Ndinoda kukubvunza chimwe chinhu. Usandivanzira chinhu.” Jeremia akati kuna Zedhekia, “Kana ndikakupai mhinduro, hamuzondiurayi here? Kunyange ndikakupai zano, hamunganditeereri.” Asi mambo Zedhekia akapikira Jeremia mhiko iyi pakavanda achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iye akatipa mweya watinofema, handingakuurayi kana kukuisa mumaoko avavo vanotsvaka kukuuraya.” Ipapo Jeremia akati kuna Zedhekia, “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Kana ukazvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, upenyu hwenyu hucharwirwa uye guta rino haringapiswi; imi nemhuri muchararama. Asi kana mukaramba kuzvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, guta rino richaiswa mumaoko avaBhabhironi uye vacharipisa; nemi pachenyu hamungapukunyuki pamaoko avo.’ ” Mambo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ndinotya vaJudha vakaenda kuvaBhabhironi, kuti vaBhabhironi vangangondiisa mumaoko avo vakandiitira zvakaipa.” Jeremia akati kwaari, “Havangakuisiyi kwavari. Teererai Jehovha nokuita zvandakuudzai. Ipapo zvichakunakirai imi, uye upenyu hwenyu huchararamiswa. Asi kana mukaramba kuzvipira, hezvino zvandakaratidzwa naJehovha. Vakadzi vose vakasara mumuzinda wamambo weJudha vachabudiswa vachiendeswa kumachinda amambo weBhabhironi. Vakadzi ivavo vachati kwamuri: “ ‘Vakakutsausai uye vakakukundai, ivo shamwari dzamaivimba nadzo. Tsoka dzenyu dzanyura mumadhaka; shamwari dzenyu dzakakutizai.’ “Vakadzi venyu vose navana vachabudiswa vachiendeswa kuvaBhabhironi. Nemi pachenyu hamungapukunyuki mumaoko avo, asi muchabatwa namambo weBhabhironi; uye guta rino richapiswa.” Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ngakurege kuva nomunhu anoziva zvatakurukura izvi nokuti angafa. Kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri vachiti, ‘Tiudze zvawataura kuna mambo uye zvarehwa namambo kwauri; usativanzira kuti tirege kukuuraya,’ ipapo uvaudze kuti, ‘Ndanga ndichikumbira kuna mambo kuti arege kundidzoserazve kuimba yaJonatani kuti ndinofirako.’ ” Machinda ose akauya kuna Jeremia ndokumubvunza, iye akavaudza zvinhu zvose zvaakanga arayirwa namambo kuti ataure. Naizvozvo vakarega kutaura naye zvakare, nokuti hapana akanga anzwa zvaakanga akurukura namambo. Naizvozvo Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi kusvikira pazuva rakapambwa Jerusarema. Uku ndiko kutorwa kwakaitwa Jerusarema: Mugore rechipfumbamwe ramambo Zedhekia mambo weJudha, nomwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akauya kuzorwisa Jerusarema nehondo yake yose ndokurikomba. Zvino negore regumi nerimwe raZedhekia, pazuva repfumbamwe romwedzi wechina, masvingo eguta akakoromorwa. Ipapo machinda ose amambo weBhabhironi akauya ndokugara paSuo Rapakati, vaiti: NerigariSharezeri weSamugari naNebho-Saresekimi mukuru wavaranda vamambo weBhabhironi, naNerigari-Sharezeri mukuru aiva nechinzvimbo chapamusoro, namamwe machinda ose amambo weBhabhironi. Zedhekia mambo weJudha navarwi vose vakati vavaona, vakatiza; vakabuda muguta usiku vakaenda nenzira yokubindu ramambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri, ndokunanga kuArabha. Asi hondo yavaBhabhironi yakavadzinganisa ndokubatira Zedhekia mumapani eJeriko. Vakamubata ndokumuendesa kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yaHamati kwaakamupa mutongo wake. Ipapo paRibhira Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake uye akaurayawo makurukota ose eJudha. Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga nengetani kuti aende naye kuBhabhironi. VaBhabhironi vakapisa muzinda wamambo nedzimba dzavanhu vakakoromora masvingo eJerusarema. Nebhukadhinezari mukuru wehondo yavarindi akaendesa kuBhabhironi vanhu vakanga vasara muguta pamwe chete navaya vakanga vazvipira kwaari uye noruzhinji rwavanhu. Asi Nebhukadhinezari mukuru wavarindi akasiya munyika yeJudha vamwe varombo vakanga vasina chinhu; uye panguva iyoyo akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda. Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akanga arayira izvi pamusoro paJeremia kubudikidza naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, achiti, “Mutorei mumuchengete; musamuitira zvakaipa asi mumuitire zvose zvaanokumbira.” Saka Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, naNebhushazibhani mukuru wavaranda, naNerigari-Sharezeri aiva mukuru wen'anga namamwe machinda ose amambo weBhabhironi vakatumira nhume kuti Jeremia abviswe paruvazhe rwavarindi. Vakamuendesa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti vamudzosere kumusha kwake. Saka akaramba agere pakati pavanhu vokwake. Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti, “Enda undoudza EbhedhiMereki muEtiopia kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo kuzadzisa mashoko angu pamusoro peguta rino nenjodzi, kwete kubudirira. Panguva iyoyo zvichazadzisika pamberi pako. Asi iwe ndichakurwira pazuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, haungaiswi mumaoko evaunotya. Ndichakuponesa; haungaurayiwi nomunondo asi uchatiza noupenyu hwako, nokuti unovimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ” Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokusunungurwa kwake paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi. Akanga awana Jeremia akasungwa nengetani ari pakati pavatapwa vose vaibva Jerusarema neJudha avo vakanga vachiendeswa kuutapwa kuBhabhironi. Mukuru wavarindi akati awana Jeremia, akati kwaari, “Jehovha Mwari wako akatenda kuti njodzi iyi iwire nzvimbo ino. Zvino Jehovha aita kuti zviitike, aita sezvaakareva kuti achaita. Izvi zvose zvakaitika nokuti imi vanhu makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera. Asi nhasi ndinokusunungura kubva pangetani dziri mumaoko ako. Uya tiende tose kuBhabhironi, kana uchida, ini ndichakuchengeta; asi kana usingadi, usauya. Tarira, nyika yose iri pamberi pako; enda hako kwose kwaunoda.” Kunyange zvakadaro hazvo, Jeremia asati atendeuka kuti aende, Nebhuzaradhani akaenderera mberi achiti, “Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani uyo akagadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wemaguta eJudha, undogara naye pakati pavanhu, kana kuti woenda kwose kwaunoda.” Ipapo mukuru wavarindi akamupa zvokudya zvokutakura nezvipo akamurega achienda. Saka Jeremia akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa akandogara naye pakati pavanhu vakanga vasara munyika. Vakuru vehondo navanhu vakanga vachigara mumasango enyika vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami kuti ave mubati wenyika uye kuti mambo akanga amuita mutariri wavarume, navakadzi navana, avo vakanga vari varombo zvakanyanya munyika uye vakanga vasina kuendeswa pautapwa kuBhabhironi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, Johanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti, mwanakomana waEfai muNetafati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo. Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akapika mhiko yokuvasimbisa ivo navanhu vavo achiti, “Musatya kushandira vaBhabhironi. Garai henyu munyika mushandire mambo weBhabhironi, zvigokuitirai zvakanaka. Ini pachangu ndichagara paMizipa kuti ndikumirirei pamberi pavaBhabhironi vanouya kwatiri, asi imi munofanira kukohwa waini, nezvibereko zvezhizha namafuta mugozviisa mumidziyo yenyu, mugogara mumaguta amakakunda.” VaJudha vose vaiva muMoabhu, muAmoni, nevemuEdhomu nedzimwe nyika dzose vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga asiya vamwe vanhu muJudha uye kuti akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, somubati pamusoro pavo, vose vakadzoka kunyika yeJudha, kuna Gedharia paMizipa, vachibva kunyika dzose kwavakanga vakaparadzirwa. Uye vakakohwa waini yakawanda nezvibereko zvezhizha zvizhinji kwazvo. Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vakanga vachiri kumasango vakauya kuna Gedharia paMizipa. Vakati kwaari, “Hauzivi here kuti Bhaarisi mambo wavaAmoni atuma Ishumaeri mwanakomana waNetania kuti azokuuraya?” Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda. Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akati kuna Gedharia muchivande vari paMizipa, “Rega ndinouraya Ishumaeri mwanakomana waNetania, uye hapana achazviziva. Anodirei kukuuraya nokuita kuti vaJudha vose vakaungana, vakakupoteredza, vaparadzirwe uye vakasara veJudha vaparare?” Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Usaita chinhu chakadaro! Zvauri kutaura pamusoro paIshumaeri hazvisi zvechokwadi.” Mumwedzi wechinomwe, Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, uyo akanga ari werudzi rwamambo, uye akanga ari mumwe wemachinda amambo, akauya ane varume gumi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, paMizipa. Vachiri kudya pamwe chete ipapo, Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume gumi vakanga vanaye vakasimuka vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya iye akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wenyika iyo. Ishumaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naGedharia paMizipa, pamwe chete navarwi veBhabhironi vaivapo. Zuva rakatevera kuurayiwa kwaGedharia, pasati pava nomunhu aizviziva, varume makumi masere vaibva kuShekemu, neShiro neSamaria vakasvikapo vakavevura ndebvu dzavo, vakabvarura nguo dzavo nokuzvicheka-cheka, vachiuya nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuwira kuimba yaJehovha. Ishumaeri mwanakomana waNetania akabuda paMizipa kuti andovachingamidza, akafamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.” Vakati vapinda muguta, Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vakanga vanaye vakavauraya ndokuvakanda mugomba. Asi vamwe vavo gumi vakati kuna Ishumaeri, “Musatiuraya! Isu tine gorosi nebhari, namafuta uye, nouchi, zvakavigwa musango.” Naizvozvo akavarega akasavauraya pamwe chete navamwe. Zvino gomba raakakandira mitumbi yose yavarume vaakanga auraya pamwe chete naGedharia ndiro rakanga racherwa naMambo Asa kuti azvidzivirire kuna Bhaasha mambo weIsraeri. Ishumaeri mwanakomana waNetania akarizadza navakaurayiwa. Ishumaeri akatapa vanhu vose vakanga vari paMizipa, vanasikana vamambo pamwe chete navamwe vose vakanga vasara ikoko, vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi pasi paGedharia mwanakomana waAhikami. Ishumaeri mwanakomana waNetania akavatapa ndokubvapo achida kuti ayambukire kuvaAmoni. Johanani mwanakomana waKarea namachinda ose ehondo vaiva naye vakati vanzwa pamusoro pemhaka dzose dzakanga dzaparwa naIshumaeri mwanakomana waNetania, vakatora varume vavo vose ndokuenda kundorwa naIshumaeri mwanakomana waNetania. Vakandomubatira pedyo nedziva guru reGibheoni. Vanhu vose vaiva naIshumaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea navakuru vehondo vakanga vainaye, vakafara. Vanhu vose vakanga vatapwa naIshumaeri paMizipa vakadzoka vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea. Asi Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vasere vakapukunyuka kubva kuna Johanani vakatizira kuvaAmoni. Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatungamirira vose vakasara kubva paMizipa avo vaakanga anunura kuna Ishumaeri mwanakomana waNetania shure kwokunge auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti: varwi, navakadzi, navana namachinda edare vaakanga abva navo kuGibheoni. Vakaenderera mberi ndokundomira vava paGeruti-Kimhami pedyo neBheterehema parwendo rwavo rwokuenda kuIjipiti kuti vatize vaBhabhironi. Vakanga vachitya nokuti Ishumaeri mwanakomana waNetania akanga auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, uyo akanga agadzwa kuva mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi. Ipapo vakuru vose vehondo, pamwe chete naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaya, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru vakasvika, kuna Jeremia muprofita vakati kwaari, “Tapota inzwai chikumbiro chedu mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu nokuda kwavose ava vakasara. Nokuti sezvamunoona zvino, kuti kunyange taiva vazhinji, iye zvino kwangosara vashoma chete. Nyengeterai kuti Jehovha Mwari wenyu atiudze kwatinofanira kuenda uye zvatinofanira kuita.” Jeremia muprofita akapindura achiti, “Ndakunzwai. Zvirokwazvo ndichakunyengetererai kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakumbira, ndichakuzivisai zvinhu zvose zvicharehwa naJehovha uye handingambokuvanzirai chinhu.” Ipapo vakati kuna Jeremia, “Jehovha ngaave chapupu chezvokwadi uye chakatendeka pamusoro pedu kana tisingaiti zvose zvamunenge matumwa kuzotiudza naJehovha. Kana zvakanaka, kana zvisina kunaka tichateerera Jehovha Mwari wedu, watinokutumai kwaari kuti zvigotiitira zvakanaka, nokuti tichateerera Jehovha Mwari wedu.” Mazuva gumi akati apera, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia. Naizvozvo akaunganidza Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaaiva navo navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru. Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, iye wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse chikumbiro chenyu, ‘Kana mukagara munyika ino, ndichakuvakai handizokukoromorei; ndichakusimai uye handingakudzurei, nokuti ndinorwadziwa nokuda kwenjodzi yandakaisa pamusoro penyu. Musatya mambo weBhabhironi, iye wamunotya zvino. Musamutya, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinemi uye ndichakuponesai nokukuponesai kubva mumaoko ake. Ndichakunzwirai tsitsi kuitira kuti agokunzwirai tsitsi, agokudzoserai kunyika yenyu.’ “Kunyange zvakadaro, kana mukati, ‘Hatidi kugara munyika ino,’ nokudaro musingateerere Jehovha Mwari wenyu, uye kana mukati, ‘Kwete tichaenda kundogara kuIjipiti, kwatisingazooni hondo kana kunzwa hwamanda kana kunzwa nzara yechingwa,’ zvino chinzwai shoko raJehovha imi vakasara vaJudha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Kana mashinga kuenda kuIjipiti kana mukaenda kundogarako, ipapo munondo wamunotya uchakukundai ikoko uye nenzara yamunotya ichakuteverai kuIjipiti, uye muchafira ikoko. Zvirokwazvo, vose vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako vachafa nomunondo, nenzara uye nedenda; hakuna achasara pakati pavo kana kupukunyuka njodzi yandichauyisa pamusoro pavo.’ Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Sokudururwa kwakaitwa hasha dzangu nokutsamwa kwangu pamusoro peavo vaigara muJerusarema, saizvozvo kutsamwa kwangu kuchadururirwa pamusoro penyu kana maenda kuIjipiti. Muchava chinhu chinotukwa nechinosemwa, nechinomhurwa, nokuzvidzwa; hamuchazombooni nzvimbo ino zvakare.’ “Haiwa imi vakasara veJudha, Jehovha akuudzai kuti, ‘Musaenda kuIjipiti.’ Ivai nechokwadi: ndinokuyambirai nhasi kuti makakanganisa kwazvo pamakandituma kuna Jehovha Mwari wenyu muchiti, ‘Tinyengeterere kuna Jehovha Mwari wedu, utiudze zvose zvaanoreva uye isu tichazviita.’ Ndakuudzai nhasi, asi kunyange zvakadaro hamuna kuteerera Jehovha Mwari wenyu pane zvose zvaakandituma kuzokuzivisai imi. Saka zvino, ivai nechokwadi nezvizvi: Muchafa nomunondo, nenzara, uye nedenda kunzvimbo yamunoda kuenda kundogara.” Jeremia akati apedza kuudza vanhu mashoko ose aJehovha Mwari wavo, zvose zvaakanga atumwa naJehovha kuti avaudze, Azaria mwanakomana waHoshaya naJohanani mwanakomana waKarea navarume vose vaizvikudza vakati kuna Jeremia, “Unoreva nhema iwe! Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuti uzoti, ‘Hamufaniri kuenda kuIjipiti kundogara ikoko.’ Asi Bharuki mwanakomana waNeria ndiye anokukusvudzira pamusoro pedu kuti tiiswe kuvaBhabhironi, kuti vagotiuraya kana kutitora vachitiendesa kuBhabhironi.” Naizvozvo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo navanhu vose havana kuteerera murayiro waJehovha kuti vagare munyika yeJudha. Panzvimbo paizvozvo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vakatora vakasara vose veJudha vakanga vadzoka kuzogara munyika yaJudha kubva kundudzi dzose kwavakanga vaparadzirwa. Vakatorawo varume vose, navakadzi navana navanasikana vamambo vakanga vasiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo kuna Gedharia mwanakomana waShafani, naJeremia muprofita uye naBharuki mwanakomana waNeria. Saka vakapinda muIjipiti vasingateereri Jehovha vakaenda zvokutosvika kuTapanesi. Vari paTapanesi, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, “Tora mabwe makuru uavige mudhaka pakati pezvitinha panopindwa napo kumuzinda waFaro uri paTapanesi, vaJudha vakatarisa. Ipapo uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndichatuma shoko kumuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye ndichaisa chigaro chake choushe pamusoro pamabwe aya andaviga pano; achatambanudza denga rake roushe pamusoro pawo. Achauya agorwisa Ijipiti, achivigira rufu kuna avo vakatongerwa rufu, kutapwa kuna vakatongerwa utapwa, nomunondo kuna avo vakatongerwa munondo. Achapisa temberi dzavamwari veIjipiti; achapisa temberi dzavo agotapa vamwari vavo. Sokumonera kunoita mufudzi nguo yake, saizvozvo achamonera nyika yeIjipiti agobvako asina vanga. Imomo, mutemberi yezuva iri muIjipiti, achaputsa mbiru dzinoera uye achapisa temberi dzavamwari veIjipiti.’ ” Shoko iri rakasvika kuna Jeremia pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere zasi kweIjipiti, muMigidhori nomuTapanesi nomuNofi, nokumusoro kweIjipiti, richiti, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Makaona njodzi huru yandakauyisa pamusoro peJerusarema nomumaguta ose eJudha. Nhasi uno asiyiwa angova matongo nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Vakanditsamwisa nokuda kwokupisira zvinonhuwira uye nokunamata vamwe vamwari vavasina kumboziva ivo kana imi kana madzibaba enyu. Ndakatuma ndatumazve varanda vangu vaprofita kuti vati, ‘Regai kuita chinhu chinonyangadza chandinovenga!’ Asi havana kunzwa kana kuteerera: havana kudzoka kubva pane zvakaipa zvavo kana kurega kupisa zvinonhuwira kuna vamwe vamwari. Naizvozvo kutsamwa kwangu kunotyisa kwakadururwa; kukapisa maguta eJudha uye nenzira dzeJerusarema ndikazviparadza zvikava matongo sezvazvakaita nhasi. “Zvino, zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Munouyisireiko njodzi yakakura kudai pamusoro penyu nokuparadzira kubva kuJudha varume navakadzi, navana, navacheche nokudaro muchisara musina kana nomumwe? Munonditsamwisireiko nezvamunoita namaoko enyu, muchipisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari vomuIjipiti kwamakaenda kundogara? Muchazviparadza pachenyu mukazviita chinhu chinotukwa nechinozvidzwa pakati pendudzi dzose dzepanyika. Makanganwa here zvakashata zvakaitwa namadzibaba enyu namadzimambo navanamambokadzi veJudha uye zvakashata zvakaitwa nemi navakadzi venyu munyika yeJudha nomunzira dzeJerusarema? Kusvikira pazuva ranhasi havana kuzvininipisa kana kuratidza rukudzo, kana kutevera murayiro wangu nezvirevo zvangu zvandakatema pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu. “Naizvozvo, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu nokuparadza Judha yose. Ndichabvisa vakasara veJudha vakanga vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako. Vose vachafira muIjipiti, vachafa nomunondo kana kufa nenzara. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vachafa nomunondo kana nenzara. Vachava chinhu chinotukwa nechinosemwa, chinhu chinoshorwa nechinonyadzisa. Ndicharanga vaya vanogara kuIjipiti nomunondo, nenzara uye nedenda sokuranga kwandakaita Jerusarema. Hakuna kuna vakasara veJudha vakaenda kunogara kuIjipiti vangapukunyuka kana kurarama kuti vadzoke kunyika yeJudha, uko kwavanoshuva kuti vadzokere kundogara; hakuna achadzoka kunze kwavashoma vakatiza.” Ipapo varume vose vaiziva kuti vakadzi vavo vaipisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari, pamwe chete navakadzi vose vaivapo, ungano huru, navanhu vose vakanga vagere nokumusoro zasi kweIjipiti, vakati kuna Jeremia, “Hatingateereri shoko rawakataura kwatiri muzita raJehovha! Zvirokwazvo tichaita zvinhu zvose zvatakati tichaita. Tichapisira zvinonhuwira kuna Mambokadzi woKudenga nokumudururira zvipiriso zvokunwa sezvatakaita isu namadzibaba edu, namadzimambo edu uye namachinda edu mumaguta eJudha nomunzira dzomuJerusarema. Panguva iyoyo takanga tine zvokudya zvizhinji uye takanga tigere zvakanaka tisina zvaitirwadza. Asi kubva patakamira kupisira zvinonhuwira kuna Mambokadzi woKudenga nokudururira zvipiriso zvokunwa kwaari, hapana chatakawana uye tanga tichingofa nomunondo nenzara.” Vakadzi vakapamhidzira vachiti, “Patakapisira zvinonhuwira kuna Mambokadzi wokudenga, nokudururira zvipiriso zvokunwa kwaari, varume vedu vanga vasingazivi here kuti taimuitira makeke akaita somufananidzo wake nokumudururira zvipiriso zvinonwiwa?” Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose, varume navakadzi, vakanga vachimupindura, “Ko, Jehovha haana kurangarira here nokufunga pamusoro pezvinonhuwira zvaipiswa mumaguta eJudha nomunzira dzeJerusarema nemi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu uye navanhu venyika? Jehovha akati haasisina mwoyo murefu pakuipa kwezviito zvenyu nezvinhu zvinonyangadza zvamakaita, nyika yenyu ikava chinhu chinotukwa uye nedongo risina anogaramo, sezvazvakaita nhasi. Nokuda kwokuti makapisira zvinonhuwira uye makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera kana kutevera murayiro wake kana zvirevo zvake kana zvaakatema, njodzi iyi yaiswa pamusoro penyu sezvamunoona zvino.” Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose kusanganisira vakadzi, “Inzwai shoko raJehovha, imi vanhu vose veJudha vari muIjipiti. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Imi navakadzi venyu maratidza nezviito zvenyu, zvamakavimbisa pamakati, ‘Zvirokwazvo mhiko dzedu dzatakapika tichadzizadzisa nokupisa zvinonhuwira uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna Mambokadzi woKudenga.’ “Endererai henyu mberi zvino, itai zvamakavimbisa! Chengetai mhiko dzenyu! Asi inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munogara muIjipiti: ‘Ndinopika nezita rangu guru,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti hakuna anobva kuJudha agere papi napapi zvapo muIjipiti achadana zita rangu kana kupika achiti: “Zvirokwazvo naIshe Jehovha mupenyu,” Nokuti ndinovarindira kuti ndivaitire zvakaipa kwete zvakanaka, vaJudha vari muIjipiti vachafa nomunondo uye nenzara kusvikira vose vaparadzwa. Avo vachapukunyuka pamunondo vakadzokera kunyika yeJudha vachibva kuIjipiti vachava vashoma kwazvo. Ipapo vose vakasara vavaJudha vakauya kuzogara kuIjipiti vachaziva kuti shoko rinogara nderani, rangu kana ravo. “ ‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri chokuti ndichakuranga panzvimbo ino,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuitira kuti muzive kuti mashoko eyambiro yangu pamusoro penyu achamira zvirokwazvo.’ Zvanzi naJehovha: Ndiri kuisa Faro Hofira mambo weIjipiti mumaoko avavengi vake vanotsvaka kumuuraya, sezvandakaita Zedhekia mambo weJudha mumaoko aNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, iye muvengi akanga achitsvaka kumuuraya.’ ” Izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Jeremia kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shure kwokunyora kwaBharuki rugwaro rwamashoko aJeremia aakanga achimudaidzira, achiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kunewe Bharuki: Iwe wakati, ‘Ndine nhamo! Jehovha apamhidzira kusuwa pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera uye ndashayiwa zororo.’ ” Jehovha akati, “Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichakoromora zvandakavaka nokudzura zvandakasima, panyika yose. Iwe ungazvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka. Nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro pavanhu vose, ndizvo zvinotaura Jehovha, asi ndichaita kuti utize noupenyu hwako kwose kwaunoenda.’ ” Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia muprofita pamusoro pendudzi: Pamusoro peIjipiti: Iri ndiro shoko pamusoro pehondo yaFaro Neko mambo weIjipiti, yakakundwa paKarikemishi, paRwizi Yufuratesi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha: “Gadzirai nhoo dzenyu, dzose huru neduku, mubude kundorwa! Sungai mabhiza, sungirirai zvigaro! Mirai panzvimbo yenyu makapfeka ngowani! Rodzai mapfumo enyu, Pfekai nguo dzenyu dzokurwa! Ndinooneiko? Vavhunduswa, vari kudzokera shure, mhare dzavo dzakundwa. Vatiza nokukurumidza vasingacheuki, uye pano kutya kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Vanogona kumhanya havangatizi, uye vakasimba havangapunyuki. Nechokumusoro paRwizi Yufuratesi vanogumburwa vagowa. Ndianiko uyu anozara serwizi Nairi, senzizi dzamapopopo emvura? Ijipiti yazara seNairi, senzizi dzamapopopo. Inoti, “Ndichazara ndigofukidza nyika; ndichaparadza maguta navanhu vawo. Virimai, imi mabhiza! Chairai nehasha, imi vatasvi vengoro! Fambirai mberi, imi mhare, varume veEtiopia nePuti vanoitakura nhoo, varume veRidhia vanowembura uta. Asi zuva iro nderaShe, iye Jehovha Wamasimba Ose, iro zuva rokutsiva, rokutsiva vavengi vake. Munondo uchadya kusvikira waguta, kusvikira wapodza nyota yawo neropa. Nokuti Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, achabayira chibayiro kunyika yokumusoro paRwizi Yufuratesi. “Kwira kuGireadhi undotora bharimu, iwe Mwanasikana weIjipiti. Asi unongowanza mishonga pasina; kuporeswa kwako hapana. Ndudzi dzichanzwa nezvokunyadziswa kwako; kuchema kwako kuchazadza nyika. Mhare ichabondera pane imwe mhare; vachawira pasi pamwe chete.” Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kuna Jeremia muprofita, pamusoro pokuuya kwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kuzorwa neIjipiti achiti, “Zivisai izvi muIjipiti, mugozviparidza paMigidhori; zviparidzeiwo paMemufisi neTapanesi muchiti, ‘Torai nzvimbo yenyu uye muzvigadzirire, nokuti munondo unodya vakakupoteredzai.’ Ko, mhare dzenyu dzingadzikisirwei? Havangagoni kumira, nokuti Jehovha achavadzikisa pasi. Vacharamba vachingogumburwa; vachawirana pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vachati, ‘Simukai, ngatidzokerei kuvanhu vokwedu nokunyika yedu, kure nomunondo womumanikidzi wedu.’ Ikoko vachadanidzira vachiti, ‘Faro mambo weIjipiti anongova ruzha chete; akatadza kushandisa mukana wake.’ “Zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose, “pano mumwe achauya akaita seTabhori pakati pamakomo, seKarimeri pagungwa. Rongedzai zvinhu zvenyu, nokuti muchaenda kuutapwa, imi munogara muIjipiti, nokuti Memufisi ichaitwa dongo, uye ichava dongo risina anogaramo. “Ijipiti itsiru rakaisvonaka, asi vuvo riri kuuya kuzorwisa richibva kumusoro. Varwi vanorwa kuti vapuwe mari chete vari mairi, vakaita semhuru dzakakodzwa. Naivowo vachadzoka uye vachatiza pamwe chete, havangamiri, nokuti zuva renjodzi riri kuuya pamusoro pavo, iyo nguva yokurangwa kwavo. Ijipiti ichashinyira senyoka inotiza pakuuya nechisimba kwomuvengi; vachauya kuzorwa nayo namasanhu, savarume vanotema miti. Vachatemera masango aro pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange risingapinduki zvaro. Vakawanda kupfuura mhashu, havaverengeki. Mwanasikana weIjipiti achanyadziswa, achaiswa mumaoko avanhu vokumusoro.” Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, anoti, “Ndava pedyo nokuuyisa shamhu pamusoro paAmoni mwari weTebhesi, napamusoro paFaro, neIjipiti navamwari vayo namadzimambo ayo, napamusoro peavo vanovimba naFaro. Ndichavaisa mumaoko eavo vanotsvaka kuvauraya, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi namachinda ake. Shure kwaizvozvo, Ijipiti ichagarwa sepamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka iwe Israeri. Zvirokwazvo ndichakuponesa uri kunzvimbo iri kure, navana vako kubva kunyika yeutapwa hwavo, Jakobho achavazve norugare nokuchengetedzeka, uye hakuna achamutyisa. Usatya, iwe Jakobho muranda wangu, nokuti ndinewe,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange ndikaparadza chose marudzi ose andakakuparadzirai pakati pawo, handizokuparadzei imi zvachose. Ndichakurangai, asi chete nokururamisira; handingakuregei musina kurangwa zvachose.” Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza: Zvanzi naJehovha, “Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro; ivo vachava rwizi runopa pfuma nesimba. Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi, maguta navose vanogaramo. Vanhu vachachema; vose vanogara munyika vachaungudza nokuda kwomutsindo wemahwanda emabhiza, nomutinhiro wengoro dzavavengi, nokurira kwemavhiri adzo. Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo; maoko avo acharembera seakaremara. Nokuti zuva rasvika rokuparadza vaFiristia vose, nokuuraya vose vakasara vaigona kubatsira Tire neSidhoni. Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia, vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori. Gaza ichaveura musoro waro mukuchema; Ashikeroni richati mwiro. Haiwa, imi vakasara vari pabani, muchasvika rinhiko muchizvicheka? “Muchachema muchiti, ‘Nharirire, munondo waJehovha, uchasvika riniko usati wazorora? Dzokera mumuhara wako; mira, unyarare.’ Asi ungazorora sei, sezvo Jehovha akaurayira, sezvo akaurayira kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?” Pamusoro peMoabhu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Ine nhamo Nebho, nokuti ichaparadzwa. Kiriataimi ichanyadziswa uye ichakundwa; nhare dzichanyadziswa uye dzichaparadzwa. Moabhu haichazorumbidzwizve; muHeshibhoni varume vacharangana nezvokuwa kwaro, vachiti, ‘Uyai, tiparadze rudzi urwo.’ Newewo, iwe Madhimeni uchati mwiro; munondo uchakutevera. Inzwai kuchema kunobva kuHoronaimi, kuchema kwokukoromorwa nokuparadzwa kukuru. Moabhu ichaputswa; vanana vavo vacharidza mhere. Vachakwira nomukwidza weRuhiti, vachichema zvikuru pakuenda kwavo; pamateru enzira yokuHoronaimi kuchema kwokurwadziwa pamusoro pokuparadza kunonzwika. Tizai! Mhanyai noupenyu hwenyu; mufanane negwenzi riri mugwenga. Sezvo muchivimba namabasa uye nepfuma yenyu, nemiwo muchatapwa, uye Kemoshi ichaenda kuutapwa, pamwe chete navaprista namachinda ayo. Muparadzi acharwa namaguta ose ose, uye hapana guta richapukunyuka. Mupata uchaparadzwa, uye mutunhu wakakwirira uchaparadzwa nokuti Jehovha azvitaura. Isai munyu pamusoro peMoabhu, nokuti ichaparadzwa; maguta ayo achava matongo, asina achazogaramo. Ngaatukwe uyo anobata basa raJehovha asina hanya! Ngaatukwe uyo anodzora munondo wake pakuteura ropa! “Moabhu anga ane zororo kubvira pauduku hwake, sewaini yasarira mumasese, isina kudirwa kubva muno mumwe mudziyo ichiiswa muno mumwe, haana kuenda muutapwa. Saka anongotapira sezvaakanga ari, uye kunhuwira kwake hakuna kushanduka. Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichatuma varume vanodurura zvinobva mumudziyo, uye vachadururira pasi; vachasiya midziyo isina chinhu uye vagoputsa midziyo yake. Ipapo Moabhu achanyadziswa neKemoshi, sokunyadziswa kwakaitwa imba yaIsraeri pavakavimba neBheteri. “Ungataura sei, uchiti, ‘Tiri mhare, varume vakatsunga muhondo’? Moabhu ichaparadzwa, uye maguta ayo achapindirwa nechisimba; majaya ake akaisvonaka achaburukira kundourayiwa,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose. “Kuwa kweMoabhu kwava pedyo; njodzi yayo ichasvika nokukurumidza. Ichemei, imi mose mugere makaipoteredza, vose vanoziva mukurumbira wayo; muti, ‘Yavhunika seiko tsvimbo yakasimba, wavhunika seiko mudonzvo wakaisvonaka!’ Burukai pakukudzwa kwenyu mugare pavhu rakaoma, imi vagari voMwanasikana weDhibhoni, nokuti iye anoparadza Moabhu achauya kuzokurwisai, uye agoparadza maguta enyu akakomberedzwa. Mirai panzira mutarire, imi vagari vemuAroeri. Bvunzai murume ari kutiza nomukadzi apunyuka, uvabvunze kuti, ‘Chii chaitika?’ Moabhu yanyadziswa, nokuti yaparadzwa. Ungudzai uye muridze mhere! Zvizivisei paArinoni kuti Moabhu yaparadzwa. Kutonga kwasvika kumutunhu wakakwirira, kuHoroni, neJahaza neMefaati, KuDhibhoni, neNebho neBheti Dhibhirataimu, kuKiriataimu, neBheti Gamuri neBheti Meoni, kuKerioti neBhozira, nokumaguta ose eMoabhu ari kure naari pedyo. Runyanga rweMoabhu rwagurwa; ruoko rwake rwavhunika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Itai kuti adhakwe, nokuti iye azvidza Jehovha. Regai Moabhu aumburuke mumarutsi ake; ngaave chinhu chinosekwa. Ko, Israeri haana kuva chinhu chinosekwa nemi here? Ko, akabatwa ari pakati pembavha here, zvamunodzungudza musoro wenyu muchimushora pose pamunotaura nezvake? Siyai maguta enyu mundogara pakati pamatombo, imi mugere muMoabhu. Itai senjiva inovaka dendere rayo pamuromo webako. “Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu, manyawi nokudada kwavo kukuru uye kuzvikudza kwakanyanya, kuzvikudza kwavo nokuzvitutumadza namanyawi emwoyo wayo. Ndinoziva kusindimara kwayo asi hakuna maturo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye kuzvikudza kwake kuzhinji hakuna zvakunoreva. Naizvozvo ndinoungudza pamusoro peMoabhu, nokuda kweMoabhu yose ndinodanidzira, ndinochema varume veKiri Hareseti. Ndinokuchema sokuchema kunoita Jazeri, haiwa imi mazambiringa eGibhima. Matavi enyu akatandavara kundosvika kugungwa; akandosvika kugungwa reJazeri. Muparadzi awira pamichero yako yaibva namazambiringa. Mufaro nokufarisisa zvaenda, zvabva muminda yemichero nomuminda yeMoabhu. Ndagumisa kuyerera kwewaini inobva pazvisviniro; hakuna achazvitsika achidanidzira nomufaro. Kunyange pano kudanidzira, hakusi kudanidzira kwomufaro. “Inzwi rokuchema kwavo rinokwira richibva kuHeshibhoni kusvikira kuErieri neJahazi, kubva kuZoari kusvikira kuHoronaimi neEgirati Sherishiya, nokuti kunyange nemvura dzeNimirimi dzapwa. Ndichaisa magumo muMoabhu, kuna avo vanopa zvipiriso panzvimbo dzakakwirira, uye vanopisira zvinonhuwira kuna vamwari vavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Saka mwoyo wangu unorira senyere pamusoro peMoabhu; unorira senyere pamusoro pavarume veKiri Hareseti. Pfuma yavakawana yapera. Musoro mumwe nomumwe wakaveurwa, uye ndebvu dzose dzakagurirwa; ruoko rumwe norumwe rwakagurwa, uye zviuno zvose zvakafukidzwa namasaga. Pamusoro pamatenga ose eMoabhu napazvivara hakuna chiriko kunze kwokuchema, nokuti ndaputsa Moabhu sedende risina anorida,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Akoromorwa sei! Vaungudza sei! Hoyo Moabhu afuratira nokuda kwokunyadziswa! Moabhu ava chinhu chinosekwa, chinhu chinonyangadza kuna vose vakaipoteredza.” Zvanzi naJehovha, “Tarirai achabhururuka segondo, rakatambanudzira mapapiro aro pamusoro peMoabhu. Kerioti ichatapwa uye nhare dzichatorwa. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeMoabhu ichafanana nomwoyo womukadzi ari kurwadziwa. Moabhu ichaparadzwa serudzi nokuti yakazvidza Jehovha. Kutya negomba nomusungo zvakakumirirai, imi vanhu veMoabhu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ani naani achatiza njodzi iyi achawira mugomba, ani naani achakwira achibuda mugomba, achabatwa mumusungo; nokuti ndichauyisa pamusoro peMoabhu gore rokurangwa kwake,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mumumvuri weHeshibhoni vatizi vanomirapo vasina simba, nokuti moto wabuda uchibva kuHeshibhoni, murazvo pakati peSihoni; unopisa huma dzaMoabhu, misoro yavanozvikudza vemheremhere. Une nhamo, iwe Moabhu! Vanhu veKemoshi vaparara; vanakomana vako vakaendeswa kuutapwa navanasikana vako muutapwa. “Kunyange zvakadaro ndichadzosazve pfuma yeMoabhu pamazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Pano ndipo panogumira kutongwa kweMoabhu. Pamusoro paAmoni: Zvanzi naJehovha, “Ko, Israeri haana mwanakomana here? Haana vadyi venhaka here? Ko, zvino Moreki atorerei nhaka yaGadhi? Nemhaka yeiko vanhu vake vachigara mumaguta ayo? Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharidza mhere yehondo pamusoro peRabha ravaAmoni; richaitwa murwi wamatongo, uye misha yakaripoteredza ichapiswa nomoto. Ipapo Israeri achadzinga vaya vakanga vamudzinga,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ungudza, iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa! Ridzai mhere, imi vanogara muRabha! pfekai masaga mucheme, mhanyai pano nekoko pakati porusvingo, nokuti Moreki achaenda muutapwa, pamwe chete navaprista vake namachinda ake. Unozvikudzireiko nemipata yako, kuzvikudza nemipata inobereka kwazvo? Haiwa mwanasikana wokusatendeka, unovimba nepfuma yako uchiti, ‘Ndiani acharwa neni?’ Ndichauyisa kutya pamusoro pako kunobva kuna avo vakakupoteredza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Mumwe nomumwe wenyu achadzingirwa kure, uye hakuna achaunganidza vatizi. Asi shure kwaizvozvo, ndichadzosazve pfuma yavaAmoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Pamusoro peEdhomu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ko, muTemani hamuchina uchenjeri here? Mano atsakatika here kuna vakangwara? Ko, uchenjeri hwavo hwaora here? Dzokai uye mutize, muwande mumapako akadzika, imi munogara muDhedhani, nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro paEsau, panguva yandinomuranga. Kana vanononga mazambiringa vakasvika kwauri, havangasiyi mazambiringa mashoma here? Kana mbavha dzikasvika usiku, havangabi zvavanoda chete here? Asi ndichafukura Esau; ndichazarura nzvimbo dzake dzokuwanda, kuitira kuti akoniwe kuzvivanza. Vana vake, nehama dzake navavakidzani vake vachafa, uye iye haachazovipozve. Siya nherera dzako; ini ndicharwira upenyu hwavo. Chirikadzi dzakowo dzichagona kuvimba neni.” Zvanzi naJehovha, “Kana avo vakanga vasingafaniri kunwa pamukombe vakodzera kuunwa, iwe ucharegereiko kurangwa? Haungaregi kurangwa, asi unofanira kunwa pamukombe wacho. Ndinopika neni ndimene,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuti Bhozira richava dongo nechinhu chinonyangadza, nechinhu chinotyisa, chinozvidzwa nechinotukwa; uye maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.” Ndakanzwa shoko rakabva kuna Jehovha, richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kundoti, “Unganai kuti murwe naro! Simukai murwe!” “Zvino ndichakuita muduku pakati pendudzi, anozvidzwa pakati pavanhu. Kutyisa kwaunoita, nokuzvikudza kwomwoyo wako zvakunyengera, iwe unogara mumikaha yematombo, ugere panzvimbo dzakakwirira dzechikomo. Kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakukoromora kubva ipapo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Edhomu richava chinhu chinotyisa, vose vachapfuura napo vachashamiswa, uye vachaseka nokuda kwamavanga aro ose. Sokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora, pamwe chete namaguta akanga akavakidzana nawo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saka hakuna munhu achazogarako; hakuna munhu achagara mariri. “Seshumba inobuda mumatenhere eJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Edhomu kubva munyika yake pakarepo. Ndianiko akasarudzwa wandichagadza kuti aite izvi? Ndiani akafanana neni uye ndiani angakwikwidzane neni? Uye ndoupi mufudzi angamisidzana neni?” Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peEdhomu, zvaakafunga pamusoro peavo vagere muTemani: Achakwekweredza vaduku vemapoka; achaparadza chose mafuro avo nokuda kwavo. Nyika ichadedera nokuda kwomubvumo wokuwa kwavo; kuchema kwavo kuchanzwikawo kusvikira kuGungwa Dzvuku. Tarirai gondo richabhururuka ndokudzika nesimba, rakatambanudza mapapiro aro pamusoro peBhozira. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeEdhomu ichafanana nomwoyo womukadzi worwadziwa. Pamusoro peDhamasiko: “Hamati neAripadhi avhundutswa, nokuti agamuchira mashoko akaipa. Aora mwoyo, atambudzika segungwa risina zororo. Dhamasiko harichina simba, rakatendeuka kuti ritize, kuvhunduka kukaribata; kugomera nokurwadziwa zvakaribata, kurwadziwa sekwomukadzi osununguka. Guta rembiri harina kusiyiwa seiko, iro guta randinofarira? Zvirokwazvo majaya aro achawa mumigwagwa; varwi varo vose vachati mwiro pazuva iroro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Ndichatungidza moto kumasvingo eDhamasiko; uchaparadza nhare dzose dzaBheniHadhadhi.” Pamusoro peKedhari noumambo hweHazori, hwakarwiswa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi: Zvanzi naJehovha: “Simukai, murwise Kedhari uye muparadze vanhu vokuMabvazuva. Matende avo namapoka avo amakwai achatorwa; matumba avo achatorwa achiendwa nawo, nemidziyo yavo yose nengamera. Vanhu vachadanidzira kwavari vachiti, ‘Zvinhu zviri kutyisa kumativi ose!’ “Tizirai kure nokukurumidza! Garai mumapako akadzika, imi vagari vomuHazari,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi aita zvakaipa pamusoro penyu; aronga zano pamusoro penyu. “Simukai mundorwisa rudzi rwakazvigarira zvarwo, rugere zvarwo rusina hanya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “irwo rudzi rusina masuo kana mazariro; vanhu varwo vanogara voga zvavo. Ngamera dzavo dzichapambwa, uye mombe dzavo dzakawanda dzichapambwa. Ndichaparadzira kumhepo avo vari kunyika dzokure, uye ndichauyisa njodzi pamusoro pavo kubva kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Hazori richava ugaro hwamakava, dongo nokusingaperi. Hapana achagarako; hakuna munhu achagara mariri.” Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita pamusoro peEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, richiti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Tarirai, ndichavhuna uta hweEramu, iwo musimboti wesimba ravo. Ndichauyisa pamusoro paEramu mhepo ina, kubva kumativi mana ematenga; ndichavaparadzira kumhepo ina uye hakungavi norudzi rumwe kusingaendwi navavakidzani veEramu. Ndichapwanya Eramu pamberi pavavengi vavo, pamberi paivo vanotsvaka kuvauraya; ndichauyisa njodzi pamusoro pavo, iko kutsamwa kwangu kunotyisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavapedza. Ndichaisa chigaro changu choushe muEramu uye ndichaparadza mambo wayo namachinda ayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Asi ndichadzosa nhaka yeEramu mumazuva okupedzisira,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kubudikidza nomuprofita Jeremia pamusoro peBhabhironi nenyika yavaBhabhironi, achiti, “Zivisai, uye paridzai pakati pendudzi, simudzai mureza uye paridzai; musasiya kana chinhu, asi muti, ‘Bhabhironi richakundwa; Bheri richanyadziswa, Merodhaki richazara nokutya. Zvifananidzo zvaro zvichanyadziswa uye zvifananidzo zvaro zvichazara nokutya.’ Rudzi runobva kumusoro rucharirwisa, uye ruchaparadza nyika yaro. Hakuna munhu achagaramo; zvose vanhu nezvipfuwo zvichatizira kure. “Mumazuva iwayo, nenguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu veIsraeri navanhu veJudha pamwe chete vachaenda kundotsvaka Jehovha Mwari wavo vachichema. Vachabvunza nzira inoenda kuZioni, vagotendeutsira zviso zvavo kwairi. Vachauya vagozvisunga kuna Jehovha, nesungano isingaperi isingakanganikwi. “Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika; vafudzi vavo vakavatsausa, uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo. Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo, ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora. Ani naani akavawana akavadya; vavengi vavo vakati, ‘Isu hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, iye mafuro avo echokwadi, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’ “Tizai mubude muBhabhironi; siyai nyika yavaBhabhironi, mugoita sembudzi inotungamirira makwai. Nokuti ndichamutsira Bhabhironi nokuisa pamusoro paro ndudzi huru dzakabatana dzinobva kumusoro. Vachazvigadzirira kurwa naro, uye richakundwa kubva nechokumusoro. Miseve yavo ichava semhare pakurwa, dzisingadzoki dzisina chadzakabata. Naizvozvo Bhabhironi richapambwa; vose vanoripamba vachawana mugove wavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuda kwokuti munofara nokufarisisa, iyemi munopamba nhaka yangu, nokuti munokwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza, mai venyu vachanyadziswa kwazvo; ivo vakakuberekai vachanyadziswa. Vachava mudiki pandudzi, renje, nenyika yakaoma, uye gwenga. Nokuda kwokutsamwa kwaJehovha hamungagarwi, asi richava dongo chose. Vose vanopfuura pedyo neBhabhironi vachatyiswa, uye vacharidza muridzo nokuda kwamavanga ake ose. “Mirai panzvimbo dzenyu makakomba Bhabhironi, imi mose munowembura uta. Ripfurei! Musasiye kana museve nokuti rakatadzira Jehovha. Pururudzai pamusoro pake kumativi ose! Rakanda mapfumo pasi, shongwe dzaro dzawa, masvingo aro akoromoka. Sezvo kuri kutsiva kwaJehovha, tsivai pariri; riitirei sezvarakaitira vamwe. Bvisai mudyari muBhabhironi, nomucheki nejeko rake pakukohwa. Nokuda kwomunondo womumanikidzi mumwe nomumwe ngaadzokere kuvanhu vake, mumwe nomumwe ngaatizire kunyika yake. “Israeri makwai akapararira akadzingirwa kure neshumba. Akatanga kumudya akanga ari mambo weAsiria; akapedzisira kupwanya mapfupa ake ndiNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.” Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake, sokuranga kwandakaita mambo weAsiria. Asi ndichadzosera Israeri kumafuro ake, uye achafura paKarimeri nepaBhashani; achadya akaguta pazvikomo zveEfuremu neGireadhi. Mumazuva iwayo, panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mhaka yaIsraeri ichatsvakwa, asi pachange pasina mhosva, uye zvivi zveJudha zvichatsvakwa, asi hapana chichawanikwa, nokuti ndichakanganwira vakasara vandakasiya. “Rwisai nyika yeMarataimi neavo vagere muPekodhi. Dzingirirai, urayai uye muvaparadze zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Muite zvose zvandakurayirai. Mheremhere yehondo iri munyika, mheremhere yokuparadza kukuru! Yavhunika nokupwanyika seiko nyundo yenyika yose! Bhabhironi rava dongo seiko pakati pendudzi! Ndakakuisira musungo, iwe Bhabhironi, uye wakabatwa usati wazviziva; wakawanikwa ukapambwa nokuti wakapikisana naJehovha, Jehovha akazarura dura rezvombo ndokubudisa zvombo zvehasha dzake, nokuti Ishe Jehovha Wamasimba Ose ane basa rokuita munyika yavaBhabhironi. Uyai murwe naro muchibva kure. Zarurai matura aro; muriunganidze semirwi yezviyo. Riparadzei zvachose, parege kuva navanosara. Muuraye hondo diki dzaro dzose; ngadziendeswe kundobayiwa! Vane nhamo! Nokuti zuva ravo rasvika, nguva yokurangwa kwavo. Inzwai vanotiza navapoteri vanobva kuBhabhironi, vanoparidza muZioni kuti Jehovha Mwari wedu akatsiva sei, kutsivira temberi yake. “Kokerai vapfuri vemiseve varwe neBhabhironi, vose vanowembura uta. Rikombei rose; ngakurege kuva nounopukunyuka. Riripirei nokuda kwamabasa avo; riitireiwo sezvarakaita. Nokuti vakamhura Jehovha, Iye Mutsvene weIsraeri. Naizvozvo majaya aro achawira mumigwagwa; varwi varo vose vachanyarara kuti mwiro pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Tarira, ndinorwa newe, iwe wokuzvikudza,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose, nokuti zuva rako rasvika, nguva yokurangwa kwako. Anozvikudza achagumburwa agowa, uye hapana achamusimudza; ndichatungidza moto mumaguta ake uchapisa vose vakamupoteredza.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Vanhu veIsraeri vakamanikidzwa, navanhu veJudha vakamanikidzwawo, vapambi vavo vose vakavabata, zvakasimba, vanoramba kuvaregedza kuti vaende. Asi mudzikinuri wavo ane simba; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. Achavareverera nhaka yavo nesimba kuti azorodze nyika yavo, asi achashayisa zororo kuna avo vanogara muBhabhironi. “Munondo pamusoro pavaBhabhironi!” ndizvo zvinotaura Jehovha, “pamusoro peavo vagere muBhabhironi, napamusoro pamachinda aro navakachenjera varo! Munondo pamusoro pavaprofita varo venhema! Vachava mapenzi. Munondo pamusoro pemhare dzaro! Vachazadzwa nokutya. Munondo pamusoro pamabhiza nengoro dzaro, napamusoro pavatorwa vose vari pazvigaro zvaro! Vachava vakadzi. Munondo pamusoro pepfuma yaro! Ichapambwa. Mvura yaro zhinji ngaipwe! Ichaoma. Nokuti inyika yezvifananidzo, zvifananidzo zvichapenga nokutya. “Saka mhuka dzomugwenga namapere zvichagarako, uye zizi richagara imomo. Haichazogarwizve, uye hapana achagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi. Sokukoromorwa kwakaitwa Sodhomu neGomora naMwari pamwe chete namaguta akavakidzana nawo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo hakuna achagarako; hakuna munhu achagara mairi. “Tarirai! Hondo inobva nechokumusoro; rudzi rukuru namadzimambo mazhinji ari kumutswa kubva kumagumo enyika. Vakapakata uta namapfumo; vano utsinye uye havana tsitsi. Vanotinhira segungwa vakatasva mabhiza avo; vanouya vakaita savarume vakagadzirira kurwa, kuti vakurwise, iwe mwanasikana weBhabhironi. Mambo weBhabhironi akanzwa guhu pamusoro pavo, maoko ake akapera simba. Kutya kwakamubata, kurwadziwa sekwomukadzi wosununguka. Seshumba inouya ichibva mudondo reJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo pakarepo. Ndianiko akatsaurwa wandichagadza pane izvi? Ndiani akaita seni uye ndianiko achamisidzana neni? Uye ndoupi mufudzi angandidzivisa?” Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, zvaakaronga pamusoro penyika yavaBhabhironi: Makwayana emapoka avo achakwekweredzerwa kure; achaparadza mafuro awo zvachose nokuda kwavo. Pachanzwikwa kutinhira kwokukundwa kweBhabhironi, nyika ichadedera; kuchema kwayo kuchanzwika pakati pamarudzi. Zvanzi naJehovha, “Tarirai, ndichamutsa mwoyo womuparadzi pamusoro peBhabhironi navanhu veRebhi Kamai. Ndichatumira vatorwa kuBhabhironi kundoriridza nokuparadza nyika yaro; vacharirwisa kumativi ose, pazuva rokuparara kwaro. Musarega mupfuri achiwembura uta hwake, kana kumurega achipfeka nhumbi dzake dzokurwa. Regai kunzwira majaya aro tsitsi; paradzai hondo yaro zvachose. Vachawira pasi vaurayiwa muBhabhironi, vachakuvadzwa mumigwagwa zvokuti havazorarami. Nokuti Israeri neJudha havana kuraswa naMwari wavo, iye Jehovha Wamasimba Ose, kunyange nyika yavo yakazara nemhaka pamberi poMutsvene waIsraeri. “Tizai mubve muBhabhironi! Mhanyai noupenyu hwenyu! Regai kuparadzwa nokuda kwezvivi zvaro. Inguva yokutsiva kwaJehovha; iye achariripira zvarinokodzera. Bhabhironi akanga ari mukombe wegoridhe muruoko rwaJehovha; akadhakisa nyika yose. Ndudzi dzakanwa waini yaro; naizvozvo dzava kupenga. Bhabhironi richawa pakarepo rigoondomoka. Ungudzai pamusoro paro! Torai muti webharisamu murape kurwadziwa kwaro, zvimwe ringaporeswa. “ ‘Taida kuporesa Bhabhironi, asi haringaporeswi; ngatirisiyei mumwe nomumwe aende kunyika yake, nokuti kutongwa kwaro kunosvika kumatenga, kunokwira kusvikira kumakore.’ “ ‘Jehovha haana kuti tine mhosva; uyai, tiparidze muZioni zvakaitwa naJehovha Mwari wedu.’ “Regai miseve, torai nhoo! Jehovha akamutsa madzimambo avaMedhia, nokuti akaronga kuparadza Bhabhironi. Jehovha achatsiva, kutsivira temberi yake. Simudzai mureza pamusoro pamasvingo eBhabhironi! simbisai varindi, isai nharirire panzvimbo dzavo, gadzirirai vanovandira. Jehovha achaita zvaakaronga, zvaakatema pamusoro pavanhu veBhabhironi. Imi mugere pedyo nemvura zhinji uye makapfuma kwazvo, magumo enyu asvika, nguva yokuti muparadzwe. Jehovha Wamasimba Ose akapika naiye amene achiti: Zvirokwazvo ndichakuzadza navarume, sezvinoitwa nechimokoto chemhashu, uye vachapembera nokuti vanenge vakukundai. “Akaita nyika nesimba rake; akateya nheyo dzenyika nouchenjeri hwake, akatatamura matenga nokunzwisisa kwake. Paanotinhira, mvura yomumatenga inotinhira; anokwidza makore kubva kumigumo yenyika. Anotuma mheni pamwe chete nemvura, uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake. “Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wesimbi anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri. Hazvina maturo, zvinhu zvinosekwa; kana kutongwa kwazvo kwasvika, zvichaparadzwa. Iye Mugove waJakobho haana kufanana naizvozvi, nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose, pamwe chete norudzi rwenhaka yake, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. “Ndiwe tsvimbo yangu yehondo, chombo changu chokurwa, newe ndinoparadza ndudzi, newe ndinoparadza umambo, newe ndinoparadza bhiza nomutasvi, newe ndinoparadza ngoro nomuchairi, newe ndinoparadza murume nomukadzi, newe ndinoparadza mutana nejaya, newe ndinoparadza jaya nomurandakadzi, newe ndinoparadza mufudzi neboka, newe ndinoparadza murimi nenzombe, newe ndinoparadza vatongi namachinda. “Ndicharipira Bhabhironi navose vagere muBhabhironi pamberi pako, nokuda kwezvakaipa zvavakaita muZioni,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndine mhosva newe, iwe gomo rinoparadza, iwe unoparadza nyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndikurwise, ndigokukungurusira kumawere, ndigokuita gomo rakatsva. Hapana dombo richabviswa kwauri kuti riitwe dombo rekona, kana dombo remhepo, nokuti uchaparadzwa nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Simudzai mureza munyika! Ridzai hwamanda pakati pendudzi! Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye; kokai ushe uhu kuzorwa naye: Ararati, Mini neAshikenazi. Gadzai mukuru wehondo arwe naye; tumirai mabhiza akaita sechimokoto chemhashu. Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye, madzimambo avaMedhia, vabati vavo namachinda avo ose, nenyika dzose dzavanotonga. Nyika inodedera uye yomonyoroka, nokuti zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi hazvingatongokoni, zvokuparadza nyika yeBhabhironi kuti pasava nomunhu achagaramo. Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa; vakarambira munhare dzavo. Simba ravo rapera; vaita savakadzi. Ugaro hwake hwakapiswa nomoto; mazariro amasuo ake avhunika. Anotumwa namagwaro achatevera mumwe, uye nhume ichatevera nhume, kundozivisa mambo weBhabhironi kuti guta rake rose rapambwa, mazambuko abatwa, mapani apiswa nomoto, uye varwi vavhundutswa.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Mwanasikana weBhabhironi afanana neburiro panguva yokupura; nguva yokumukohwa ichasvika zvino zvino.” “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akatidya, akatinyonganisa, akatiita chirongo chisina chinhu. Akatimedza senyoka, uye akazadza dumbu rake nezvinonaka zvedu, ipapo akatisvisvina. Zvechisimba zvakaitwa panyama yedu ngazvive pamusoro peBhabhironi,” ndizvo zvinotaura vanhu vomuZioni. Jerusarema rinoti, “Ropa redu ngarive pamusoro peavo vanogara muBhabhironi.” Naizvozvo, zvanzi naJehovha, “Tarirai, ndichakurevererai mhaka yenyu nokukutsivirai; ndichapwisa gungwa raro uye ndichapwisa matsime aro. Bhabhironi richava murwi wamatombo, ugaro hwamakava, chinhu chinotyisa nechinosekesa, nzvimbo isina anogaramo. Vanhu vake vose vanoomba seshumba diki, vanobhon'a sembwanana dzeshumba. Asi kana vamutswa, ndichavagadzirira mutambo ndigovadhakisa, kuitira kuti varidze mhere yokuseka, vagovata nokusingaperi uye varege kumuka,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavaburutsa pasi semakwayana ari kundourayiwa, semakondohwe nembudzi. “Haiwa, Sheshaki richakundwa sei, kuzvirumbidza kwenyika yose kwabatwa! Bhabhironi rava dongo sei pakati pendudzi! Gungwa richakwira pamusoro peBhabhironi; mafunga aro anovirima acharifukidza. Maguta aro achaparadzwa, achava nyika yakaoma negwenga, nyika isingagarwi nomunhu, isina angapfuura nemairi. Ndicharanga Bheri muBhabhironi ndigomuita kuti asvipe zvaakanga amedza. Ndudzi hadzichazomhanyiri kwaari. Uye rusvingo rweBhabhironi ruchawa. “Budai mariri, imi vanhu vangu! Tizai noupenyu hwenyu! Tizai mubve pakutsamwa kwaJehovha kunotyisa. Regai kuora mwoyo kana kutya panotekeshera, runyerekupe munyika; rumwe runyerekupe runonzwika gore rino, rumwe gore rinouya, runyerekupe rwokurwisana munyika uye rwomutongi achirwa nomumwe mutongi. Nokuti zvirokwazvo nguva ichasvika yandichatonga zvifananidzo zveBhabhironi; nyika yaro yose ichanyadziswa, uye vakaurayiwa varo vachawira pasi vose mukati maro. Ipapo denga nenyika nezvose zviri mazviri zvichapembera nomufaro pamusoro peBhabhironi, nokuti vachabva nechokumusoro vaparadzi vacharirwisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Bhabhironi rinofanira kuwa nokuda kwavakaurayiwa vaIsraeri, sezvakaita vakaurayiwa venyika yose vakawa nokuda kweBhabhironi. Imi makapunyuka pamunondo, endai uye musamira-mira! Murangarire Jehovha munyika iri kure, uye murangarire Jerusarema.” Takanyadziswa, nokuti takatukwa uye kunyara kwakafukidza zviso zvedu, nokuti vatorwa vakapinda munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.” “Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichatonga zvifananidzo zvaro, uye munyika yake yose vakakuvara vachagomera. Kunyange dai Bhabhironi rikasvika kudenga, uye rikasimbisa nhare yaro yakareba, ndichatumira vaparadzi kuzorirwisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Inzwi rokuchema rinobva kuBhabhironi, inzwi rokuparadza kukuru rinobva kunyika yavaBhabhironi. Jehovha achaparadza Bhabhironi; achanyaradza ruzha rwokunyongana kwaro. Mafungu avavengi achaomba semvura zhinji; kutinhira kwamanzwi avo kuchanzwika. Muparadzi achauya kuzorwisa Bhabhironi; varwi varo vachabatwa, uye uta hwavo huchavhunwa. Nokuti Jehovha ndiMwari wokutsiva; achatsiva zvizere. Ndichaita kuti machinda ake navakachenjera vake vadhakwe, vabati, namachinda uye navarwi vakewo; vachavata nokusingaperi uye havangamuki,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Masvingo makobvu eBhabhironi achaparadzwa, uye masuo aro akakwirira achapiswa; vanhu vanongozvinetsa pasina, mabasa endudzi ihuni dzomurazvo bedzi.” Iri ndiro shoko rakapiwa naJeremia kumuchinda Seraya mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, paakaenda kuBhabhironi naZedhekia mambo weJudha mugore rechina rokutonga kwake. Jeremia akanga anyora murugwaro pamusoro penjodzi dzose dzaizouya pamusoro peBhabhironi, zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro peBhabhironi. Akati kuna Seraya, “Paunosvika kuBhabhironi, uone kuti waverenga mashoko ose aya uchidanidzirisa. Ipapo uti, ‘Haiwa Jehovha, makati muchaparadza nzvimbo ino, zvokuti hakuna munhu kana zvipfuwo zvingagaramo; ichaparadzwa nokusingaperi.’ Paunopedza kuverenga rugwaro urwu, sungira ibwe parwuri ugorukanda muna Yufuratesi. Ipapo uti, ‘Saizvozvo Bhabhironi richanyura rikasazomukazve nokuda kwenjodzi yandichauyisa pamusoro paro. Uye vanhu varo vachawa.’ ” Mashoko aJeremia anogumira pano. Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe paakatanga kuva mambo, uye akatonga muJerusarema kwemakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; aibva kuRibhuna. Iye akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakangoitwa naJehoyakimi. Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake. Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi. Naizvozvo mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika muJerusarema nehondo yake yose. Vakadzika misasa yavo kunze kweguta ndokuvaka nhare dzairipoteredza. Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia. Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina chokudya chokuti vanhu vadye. Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza. Vakabuda muguta usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange zvazvo vaBhabhironi vakanga vakakomberedza guta. Vakatiza vakananga kuArabha, Asi hondo yavaBhabhironi yakatevera Mambo Zedhekia vakamubata mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye ndokupararira, uye iye akabatwa. Vakamutora vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo. Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira ipapo, iye achizviona; akaurayirwa machinda ose eJudha. Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga namatare akamuendesa kuBhabhironi, uko kwaakamuisa mutorongo kusvikira pazuva rokufa kwake. Pazuva regumi romwedzi wechishanu, mugore regumi namapfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo, uyo akashandira mambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema. Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Dzimba dzose dzaikosha akadzipisa. Hondo yose yavaBhabhironi yaiva pasi pemukuru wavarindi vamambo yakaputsira pasi masvingo ose aikomberedza Jerusarema. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vamwe vakanga vari varombo chaivo navaya vakasara muguta, pamwe chete noruzhinji rwemhizha navaya vakanga vazvipira kuna mambo weBhabhironi. Asi Nebhuzaradhani akasiya ruzhinji rwavarombo chaivo venyika iyo kuti vashande muminda yemizambiringa uye nemimwewo minda. VaBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nezvingoro zvinofamba neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira yose vakaenda nayo kuBhabhironi. Vakatorawo hari, nefoshoro, nembato dzemwenje, nomukombe namadhishi nemidziyo yose yendarira yaishandiswa pabasa romutemberi. Mukuru wavarindi vamambo akatakurawo mbiya, nezvaenga, nemikombe nehari, nezvigadziko zvemwenje, namadhishi nemikombe yaishandiswa pazvipiriso zvokunwa, zvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe yakanatswa kana sirivha. Ndarira yaibva pambiru mbiri, neGungwa, nehando dzendarira gumi nembiri dzaiva pasi pacho, nezvingoro zvakanga zvaitirwa temberi yaJehovha namambo Soromoni, zvakanga zvisingagoni kuyerwa. Mbiru imwe neimwe yakanga ina makubhiti gumi namaserea pakureba uye makubhiti gumi namavirib pakupoterera; paukobvu imwe neimwe yaisvika minwe mina uye yaiva nemhango. Musoro wendarira waiva pane imwe mbiru wakanga wakareba makubhiti anosvika mashanuc uye wakashongedzwa nezvakarukwa namatamba endarira zvaipoteredza. Imwe mbiru yakanga yakafanana nayo namatamba ayowo. Pakanga pane matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu kumativi; uwandu hwamatamba aiva pamusoro pezvakarukwa zvakanga zvakapoteredzwa hwaiva zana. Mukuru wavarindi akatora vasungwa vaiti, Seraya muprista mukuru, naZefania muprista aimutevera pachigaro uye navarindi vokumukova vatatu. Kuna avo vaiva muguta akatora muchinda mukuru wavarwi, uye vapi vamazano vanomwe. Akatorawo munyori uyo akanga ari mubati mukuru aiva nebasa rokunyora mazita avanhu venyika uye navamwe varume makumi matanhatu vakawanikwa muguta. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavauyisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira. Ipapo paRibhira, munyika yeHamati, mambo akaita kuti vaurayiwe. Saka vaJudha vakaenda kuutapwa, kure nenyika yavo. Uhu ndihwo uwandu hwavanhu vakatorwa naNebhukadhinezari achienda navo kuutapwa: mugore rechinomwe, zviuru zvitatu zvina makumi maviri navatatu, zvavaJudha; mugore regumi namasere raNebhukadhinezari, mazana masere namakumi matatu navaviri avanhu vaibva kuJerusarema; mugore rake ramakumi maviri namatatu, vaJudha mazana manomwe namakumi mana navashanu vakaendeswa kuutapwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo. Vose vaiva zviuru zvina namazana matanhatu pamwe chete. Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakava Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi, akasunungura Jehoyakini mambo weJudha, uye akamusunungura kubva mutorongo pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi wegumi nemiviri. Akataura zvakanaka kwaari uye akamupa chigaro chaikudzwa kupfuura zvigaro zvamamwe madzimambo vaakanga anavo muBhabhironi. Saka Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa akadya patafura yamambo nguva nenguva, mazuva ose oupenyu hwake. Zuva nezuva mambo weBhabhironi akapa Jehoyakini mugove wenguva nenguva, mazuva ose oupenyu hwake, kusvikira pazuva rokufa kwake. Ko, muguta zvamusisina vanhu, iro rakanga rizere navanhu! Zvarangova sechirikadzi, iro rakanga riri guru pakati pamarudzi! Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika, zvino rava nhapwa. Rinochema zvikuru usiku, misodzi iri pamatama aro. Pakati pavadiwa varo vose hakuna anorivaraidza. Shamwari dzaro dzose dzarimukira; dzava vavengi varo. Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara, Judha akaenda kuutapwa. Anogara pakati pendudzi; haawani nzvimbo yokuzorora. Vose vaimudzinganisa vakamubata ari pakati pokutambudzika kwake. Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa. Masuo aro ose haasisina vanhu, vaprista varo vanogomera, varandakadzi varo vanochema, uye iro riri pakurwadziwa kukuru. Vavengi varo ndivo vava vatongi varo; vavengi varo vagere zvakanaka, Jehovha akarivigira kutambudzika nokuda kwezvivi zvaro zvizhinji. Vana varo vakaenda kuutapwa, vava nhapwa pamberi pavavengi. Kuyevedza kwose kwabva paMwanasikana weZioni. Machinda aro aita senondo yashayiwa mafuro. Mukushayiwa simba vakatiza pamberi paanovadzinganisa. Mumazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusarema rinorangarira pfuma yose yakanga iri yaro pamazuva akare. Pakawira vanhu varo mumaoko omuvengi, rakashaya anoribatsira. Vavengi varo vakaritarisa, vakariseka pakuparadzwa kwaro. Jerusarema rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo rasvibiswa. Vose vairikudza vorizvidza, nokuti vakaona kushama kwaro; iro pacharo rinogomera, richidzokera shure. Tsvina yaro yakanamatira panguo dzaro; harina kurangarira ramangwana raro. Kuwa kwaro kwakashamisa; hakuna akarinyaradza. “Haiwa Jehovha, tarirai kurwadziwa kwangu, nokuti muvengi akunda.” Muvengi akatora pfuma yaro yose; rakaona ndudzi dzechihedheni dzichipinda panzvimbo yaro tsvene, avo vamakanga madzivisa kupinda paungano yenyu. Vanhu varo vose vanogomera pavanotsvaka chingwa; vanotsinhanisa pfuma yavo nezvokudya kuti vazviraramise. “Tarirai, imi Jehovha, uye murangarire, nokuti ndava akazvidzwa. “Hamuna hanya here, imi mose munopfuura? Tarirai pose pose muone. Pano kutambudzika sokutambudzika kwangu here, kwakaiswa pamusoro pangu, kwakauyiswa naJehovha pamusoro pangu pazuva rokutsamwa kwake kunotyisa? “Akatuma moto kubva kumusoro-soro, akautumira mumapfupa angu. Akateya makumbo angu nomumbure uye akandidzosera shure. Akandisiya ndisina chinhu, ndikapera simba zuva rose. “Zvivi zvangu zvasungwa zvikaitwa joko; namaoko ake zvakarukirwa pamwe chete, zvauya pamutsipa wangu uye Ishe apedza simba rangu. Akandiisa mumaoko avanhu vandisingagoni kukunda. “Ishe akaramba mhare dzose dziri pakati pangu; akakokera hondo kuzondirwisa kuzopwanya majaya angu. Ishe akatsika-tsika Mhandara Mwanasikana waJudha muchisviniro chake chewaini. “Ndokusaka ndichichema uye maziso angu achierera nemisodzi. Hapana ari pedyo kuti andinyaradze, hakuna anovandudza mweya wangu, Vana vangu vari kutambudzika nokuti muvengi akunda.” Zioni rinotambanudza maoko aro, asi hakuna munhu anorinyaradza. Jehovha akaisa chirevo pamusoro paJakobho, kuti vavakidzani vake vave vavengi vake; Jerusarema richava chinhu chisina kunatswa pakati pavo. Jehovha akarurama, asi ini ndakamukira murayiro wake. Inzwai, imi vanhu mose; onai kutambudzika kwangu. Majaya angu navarandakadzi vangu vakaenda kuutapwa. “Ndakadana kushamwari dzangu asi vakandipandukira. Vaprista vangu navakuru vangu vakafira muguta, pavakanga vachitsvaka zvokudya kuti vazviraramise. “Tarirai, imi Jehovha kutambudzika kwangu! Ndiri kurwadziwa mukati mangu, uye ndakakanganisika mumwoyo mangu, nokuti ndakakumukirai zvikuru. Kunze, munondo unondiurayira hama; mukati, munongova norufu. “Vanhu vakanzwa kugomera kwangu, asi hakuna anondinyaradza. Vavengi vangu vose vakanzwa kutambura kwangu; vanofara nezvamakaita. Dai mauyisa henyu zuva ramakazivisa kuti vagofanana nemi. “Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire sezvamakaita kwandiri nokuda kwezvivi zvangu zvose. Kugomera kwangu kwawanda, uye mwoyo wangu wapera simba.” Ishe akafukidza sei Mwanasikana weZioni negore rokutsamwa kwake! Akapotsera pasi kubwinya kweIsraeri, kubva kudenga kusvika panyika; haana kurangarira chitsiko chetsoka dzake pazuva rokutsamwa kwake. Ishe akamedza ugaro hwose hwaJakobho akasavanzwira tsitsi; pakutsamwa kwake akakoromorera pasi nhare dzoMwanasikana weJudha. Akawisira pasi umambo hwake namachinda ahwo mukunyadziswa. Mukutsamwa kwake kunotyisa akagura nyanga dzose dzaIsraeri. Akadzosa ruoko rwake rworudyi pakasvika muvengi. Akapisa muna Jakobho somurazvo womoto unoparadza zvose zviri kumativi ose. Akawembura uta hwake somuvengi; ruoko rwake rworudzi rwagadzirira. Somuvengi akauraya vose vaifadza kuona; akadurura hasha dzake semoto patende roMwanasikana weZioni. Ishe akafanana nomuvengi; akamedza Israeri. Akamedza mizinda yake yose uye akaparadza mhare dzake. Akawedzera kuchema nokuungudza kwoMwanasikana weJudha. Akaparadza ugaro hwake sebindu; akaparadza nzvimbo yake yokusanganira Jehovha akaita kuti Zioni rikanganwe mitambo yaro yakatarwa namaSabata aro; mukutsamwa kwake kunotyisa, akaramba vose mambo nomuprista. Ishe akaramba aritari yake uye akasiya nzvimbo yake tsvene. Akaisa mumaoko omuvengi masvingo emizinda yake; vakaita ruzha mumba maJehovha sapazuva romutambo wakatarwa. Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwakakomberedza Mwanasikana weZioni. Akatambanudza rwodzi rwokuyera uye haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza. Akaita kuti mirwi namasvingo zviungudze; zvose zvakaparara pamwe chete. Masuo aro anyura muvhu, akavhuna mazariro aro ndokuaparadza. Mambo waro namachinda aro vakaenda muutapwa pakati pendudzi, murayiro hapachina, uye vaprofita varo havachawanizve zviratidzo zvinobva kuna Jehovha. Vakuru voMwanasikana weZioni vagere pasi vanyerere; vamwaya guruva pamisoro yavo ndokupfeka masaga. Vakadzi vechidiki veJerusarema vakotamisa misoro yavo pasi. Meso angu aneta nokuchema, ndiri kurwadziwa mukati mangu, mwoyo wangu wadururirwa pasi nokuti vanhu vangu vaparadzwa, nokuti vana navacheche voziya munzira dzomuguta. Vanoti kuna vanamai vavo, “Zvokudya newaini zviripiko?” pavanoziya somurume akuvadzwa munzira dzomuguta, panodururwa upenyu hwavo. Mumaoko avanamai vavo. Ndingareveiko pamusoro pako? Ndingakuenzanisa neiko, iwe Mwanasikana weJerusarema? Ndingakufananidze neiko, kuti zvimwe ndikunyaradze, iwe Mhandara Mwanasikana weZioni? Vanga rako rakadzika segungwa Ndianiko achakuporesa? Zviratidzo zvavaprofita vako zvakanga zviri zvenhema uye zvisina maturo; havana kubudisa zvivi zvako pachena kuti vabvise kutapwa kwako, zvirevo zvavakakupa zvakanga zviri zvenhema uye zvaitsausa. Vose vanopfuura nepauri vacharova maoko vachikuseka; vanoseka nokudzungudza misoro yavo paMhandara yeJerusarema vachiti, “Ko, ndiro here guta rainzi kukwana kworunako, mufaro wenyika yose?” Vavengi vako vose vanoshama miromo yavo pamusoro pako; vanoseka uye vanorumanya meno avo vachiti, “Tarimedza. Iri ndiro zuva ratanga takamirira; takararama kuti tirione.” Jehovha aita zvaakaronga; azadzisa shoko rake, raakatema kare. Akakukoromora asina tsitsi, akarega muvengi achifara pamusoro pako, akasimudza runyanga rwavavengi vako. Mwoyo yavanhu inodana kuna She. Iwe rusvingo rwoMwanasikana weZioni, rega misodzi yako iyerere sorwizi masikati nousiku; usazvipa zororo, meso ako asazorora. Simuka, danidzira usiku, panotanga varindi vousiku; durura mwoyo wako semvura pamberi paShe. Simudzira maoko ako kwaari nokuda kwoupenyu hwavana vako, vanoziya nenzara pamavambo enzira dzose. “Tarirai, imi Jehovha, murangarire kuti: Ndiani wamakamboitira zvakadai? Ko, vakadzi vanofanira kudya vana vavo, ivo vana vavakarera here? Ko, vaprista navaprofita vangaurayirwa munzvimbo tsvene yaShe here? “Majaya navatana vavata pamwe chete muguruva romunzira; majaya angu navarandakadzi vangu vaurayiwa nomunondo. Makavauraya pazuva rokutsamwa kwenyu; makavabaya musina tsitsi. “Sokukokera kwamunoita zuva romutambo, saizvozvo makandikokera kutyisa kumativi ose. Pazuva rokutsamwa kwaJehovha hakuna akapunyuka kana kurarama; vaya vandakachengeta nokurera, vakaparadzwa navavengi vangu.” Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake. Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza; zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose. Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu. Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa. Akandigarisa murima savanhu vakanguri vafa. Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani. Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze. Akadzivirira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu. Sebere rakavandira, seshumba yakavanda, akandikwekweredza kubva munzira nokundibvarura-bvarura. akandisiya ndisina rubatsiro. Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa chemiseve yake. Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose. Akandigutsa nomuriwo unovava. uye akandinwisa nduru. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii. Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.” Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro: Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.” Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka; chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki. Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari. Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo. Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi. Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi. Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi. Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu. Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika, kurambira munhu kodzero yake pamberi poWokumusoro-soro, kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here? Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira? Ko, hazvibvi mumuromo woWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya? Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake? Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uye ngatidzokerei kuna Jehovha. Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti: “Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira. Makazvifukidza nokutsamwa mukadzingana nesu; makauraya musinganzwiri ngoni. Makazvipfukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako. Makatiita marara netsvina pakati pendudzi. “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke. Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.” Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa. Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura, kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona. Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu. nokuda kwavakadzi vose veguta rangu. Avo vakanga vari vavengi vangu ini ndisina mhaka vakandivhima seshiri. Vakaedza kundiuraya mugomba uye vakapotsera matombo kwandiri; mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa. Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika. Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.” Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.” Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu. Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu! Makaona udzamu hwokutsva kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu. Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu, dzinozevezerwa nokundurumwa navavengi vangu pamusoro pangu zuva rose. Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira, vanondituka nenziyo dzavo. Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha, zvakaitwa namaoko avo. Isai chidziro pamwoyo yavo, uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo! Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze, vabve pasi pamatenga aJehovha. Haiwa, goridhe rasviba sei, goridhe rakaisvonaka harichabwinyi sei! Matombo matsvene aparadzirwa kumusoro kwenzira imwe neimwe. Haiwa vanakomana vanokosha veZioni, kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe, zvino voonekwa sehari dzevhu, iro basa ramaoko omuumbi wehari! Kunyange makava anopa mazamu awo kuti anwise vana vawo, asi vanhu vangu vava vasina hanya seshiri dzemhou dziri mugwenga. Nokuda kwenyota rurimi rwomwana mucheche runonamira mumukanwa make; vana vanopemha chingwa, asi hakuna anovapa. Avo vaisidya zvinonaka vava vapemhi mumugwagwa. Avo vakarerwa vachifuka nguo dzepepuru zvino vava kuvata pamadurunhuru edota. Kurangwa kwavanhu vangu kukuru kupinda kweSodhomu, rakaparadzwa pakarepo pasina ruoko rwakadzoka kuzoribatsira. Machinda avo aipenya kupfuura chando, uye akanga akachena kupfuura mukaka, miviri yavo yakanga yakatsvuka kupfuura matombo anokosha amarubhi, kuratidzika kwavo kwakaita sokwesafiri. Asi zvino vasviba kupfuura chin'ai; hapana angavaziva mumigwagwa. Ganda ravo ranamira pamapfupa avo; raoma kufanana sedanda. Avo vakaurayiwa nomunondo vari nani pane avo vanourayiwa nenzara; vabayiwa nenzara, vaonda kwazvo nokuda kwokushayiwa zvokudya zvinobva muminda. Namaoko avo vakadzi vaiva nomwoyo munyoro vakabika vana vavo, vakava zvokudya zvavo, pakaparadzwa vanhu vangu. Jehovha akaratidza kutsamwa kwake kwose; akadurura hasha dzake dzinotyisa. Akabatidza moto paZioni akapisa nheyo dzaro. Madzimambo enyika haana kutenda, kunyange navanhu vose vagere panyika, kuti vavengi vangapinda pamasuo eJerusarema. Zvakaitika nokuda kwezvivi zvavaprofita varo uye nokuda kwezvakaipa zvavaprista varo, vakateura ropa ravakarurama mukati maro. Vanodzungaira munzira dzaro samapofu. Vakasvibiswa neropa zvokuti hapana angada kubata nguo dzavo. Vanhu vanodanidzira kwavari vachiti, “Ibvai! Hamuna kuchena! Ibvai! Ibvai! Musatibata!” Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu pakati pendudzi vanoti, “Havangarambi vachigara pano.” Kutsamwa kwaJehovha kwavaparadzira; haachavachengetedza. Havana kukudza uprista, uye havana kuremekedza vakuru. Meso edu oonera madzerere, tichitarisira rubatsiro rusingauyi; tiri pashongwe dzedu takatarisira rudzi rwaizotiponesa. Vanhu vakatitevera kwose kwatakaenda, zvokuti takatadza kufamba munzira dzedu chaidzo. Magumo edu akanga ava pedyo, mazuva edu apera, nokuti magumo akanga asvika. Vaitidzinganisa vaimhanya kupfuura makondo okudenga; vakatidzinganisa napamusoro pamakomo uye vakatigaririra murenje. Muzodziwa waJehovha, iwo mweya wedu wokufema chaiwo, akanga abatwa mumisungo yavo. Takafunga kuti mumumvuri wake taizorarama pakati pendudzi. Pembera ufare, iwe Mwanasikana weEdhomu, iwe unogara munyika yeUzi. Asi newewo uchapiwa mukombe uyu; uchadhakwa uye uchazvibvisa nguo. Iwe, Mwanasikana weZioni, kurangwa kwako kuchaguma; Asi, iwe Mwanasikana weEdhomu, acharanga chivi chako agoratidza kuipa kwako. Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu. Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa, misha yedu kumabvakure. Tava nherera, hatina vabereki, vanamai vedu sechirikadzi. Tinofanira kutenga mvura yatinonwa; huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo. Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo; taneta uye hatina zororo. Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria, kuti tiwane kudya kwakakwana. Madzibaba edu akatadza uye vakafa, uye tava kurangwa nokuda kwavo. Varanda vanotitonga, uye hapana angatisunungura kubva pamaoko avo. Tinowana zvokudya zvedu nokusvitsa upenyu hwedu panjodzi, nokuda kwomunondo murenje. Ganda redu rava kupisa sechoto, nokuda kwokupisa kwenzara. Vakachinya vakadzi muZioni, mhandara, mumaguta eJudha. Machinda akasungirirwa namaoko avo; vakuru havakudzwi. Majaya anoshanda paguyo; vakomana vanotatarika vakatakura mitoro yehuni. Vakuru vakabva pasuo reguta; majaya akarega kuimba kwavo. Mufaro mumwoyo medu waguma; kutamba kwedu kwapinduka kukava kuchema. Korona yawa kubva pamusoro wedu. Tine nhamo isu, nokuti takatadza! Nokuda kwaizvozvi mwoyo yedu yapera simba, nokuda kwezvinhu izvi meso edu otadza kuona, nokuti Gomo reZioni rava dongo, makava ofambamo. Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kusvikira kumarudzi namarudzi. Sei muchigara muchitikanganwa? Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai? Tidzoserei kwamuri, Jehovha, kuti tigodzoka; vandudzai mazuva edu senguva yekare, kana musina kutiramba zvachose kana kutitsamwira zvikuru kwazvo. Mugore ramakumi matatu, nomwedzi wechina pazuva rechishanu, ndiri pakati pavakatapwa, paRwizi rweKebhari, matenga akazarurwa, ndikaona zviratidzo zvaMwari. Pazuva rechishanu romwedzi, riri gore rechishanu rokutapwa kwaMambo Jehoyakini, shoko raJehovha rakasvika kuna Ezekieri muprista, mwanakomana waBhuzi paRwizi rweKebhari munyika yavaBhabhironi. Ipapo, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pake. Ndakatarira, ndikaona dutu remhepo richibva nechokumusoro, gore guru rine mheni yaipenya uye rakakomberedzwa nechiedza chaibwinya. Pakati pomoto paitarisika sedare rinopfuta, uye mumoto makanga mune zvakanga zvakaita sezvisikwa zvipenyu zvina. Pakuonekwa kwazvo, chimiro chazvo chakanga chiri chomunhu, asi chimwe nechimwe chazvo chakanga chine zviso zvina namapapiro mana. Makumbo azvo akanga akarurama; tsoka dzazvo dzakanga dzakaita sedzemhuru uye dzichipenya sendarira yakabwinyiswa. Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo pamativi azvo mana. Zvose zviri zvina zvaiva nezviso namapapiro, uye mapapiro azvo aigunzvana. Chimwe nechimwe chazvo chaienda mberi chakarurama; zvakanga zvisingacheuki pakufamba kwazvo. Zviso zvazvo zvairatidzika sezvizvi: chimwe nechimwe pauna hwazvo chaiva nechiso chomunhu, uye kurudyi, chimwe nechimwe chaiva nechiso cheshumba, uye kuruboshwe, chiso chenzombe; chimwe nechimwe chaiva nechiso chegondo. Ndizvo zvakanga zvakaita zviso zvazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzirwa kumusoro; chimwe nechimwe chakanga china mapapiro maviri rimwe richigunzva bapiro rechimwe chisikwa kumativi ose, uye mapapiro maviri akafukidza muviri wacho. Chimwe nechimwe chainanga mberi chakarurama. Kwose kwaienda mweya, ndiko kwazvaienda, zvisingacheuki pakufamba kwazvo. Kuonekwa kwezvisikwa zvipenyu izvi kwakanga kwakaita samazimbe omoto anopfuta, kana somwenje. Moto waienda mberi uchidzoka pakati pezvisikwa; wakanga uchipenya, uye mheni yaipenya mauri. Zvisikwa zvaimhanya zvichienda mberi zvichidzoka semheni inopenya. Ndakati ndichitarira kuzvisikwa zvipenyu, ndakaona vhiri riri pasi porutivi rwechisikwa chimwe nechimwe nezviso zvacho zvina. Uku ndiko kwaiva kuratidzika namagadzirirwo amavhiri acho: Akanga achivaima sebwe rekristaro, uye zvose zviri zvina zvakanga zvakafanana pakuonekwa kwazvo. Pakuonekwa kwawo napamagadzirirwo awo akanga akaita sevhiri rimwe riri mukati merimwe vhiri. Pakufamba kwazvo, zvaigona kuenda neimwe yenzira ina dzakanga dzakatariswa nezvisikwa zvina; mavhiri akanga asingatsauki zvisikwa pazvaifamba. Marimu acho akanga akakwirira uye aishamisa, uye marimu ose ari mana akanga azere nameso kwose kwose. Zvisikwa zvipenyu zvaiti kana zvofamba, mavhiri aiva parutivi ofambawo; uye kana zvisikwa zvipenyu zvikasimuka kubva pasi, mavhiri aisimukawo. Kwose kwaienda mweya, zvaiendawo, uye mavhiri aisimuka pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri. Zvisikwa pazvaifamba, iwo aifambawo; paimira zvisikwa, naiwo aimirawo; uye paingosimuka zvisikwa kubva pasi, mavhiri aisimukawo pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri. Kumusoro kwemisoro yezvisikwa zvipenyu kwakanga kwakawaridzwa chinhu chakaita sedenga, chaivaima sechando uye chaishamisa. Pasi pedenga mapapiro azvo akanga akatambanudzwa, bapiro rechimwe chisikwa richinosangana nebapiro rechimwe chisikwa, uye chimwe nechimwe chaiva namapapiro maviri akafukidza muviri wacho. Zvisikwa zvaiti zvofamba, ndainzwa kuunga kwamapapiro azvo, zvichitinhira semvura zhinji, senzwi roWamasimba Ose, sebope ravarwi. Zvaiti zvikamira zvaideredza mapapiro azvo. Ipapo inzwi rakasvika richibva kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pazvo, pazvakanga zvakamira zvakaderedza mapapiro azvo. Kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pemisoro yazvo, kwakanga kune chinhu chairatidzika sechigaro choushe chakaita sebwe resafuri uye pamusoro-soro pechigaro choushe pakanga pano mufananidzo wakaita sowomunhu. Ndakaona kuti pane zvairatidzika sechiuno chake zvichikwira kumusoro, akanga akaita sedare romoto unopenya, sokunge akazara nomoto, uye kubva ipapo zvichienda pasi, aitaridzika somoto; uye chiedza chaipenya kwazvo chakanga chakamukomberedza. Sezvakaita muraravungu uri mumakore pazuva rokunaya kwemvura, izvozvo, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwakanga kwakamukomberedza. Izvi ndizvo zvakanga zvakaita kuonekwa kwokubwinya kwaJehovha. Pandakazviona izvozvo, ndakawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe akanga achitaura. Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, simuka netsoka dzako ini nditaure newe.” Akati achitaura, Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu, ndikamunzwa achitaura neni. Akati, “Mwanakomana womunhu, ndiri kukutuma kuvaIsraeri, kurudzi runomukira irwo rwakandimukira; ivo namadzibaba avo vanga vachingondipandukira kusvikira zuva ranhasi. Vanhu vandinokutuma kwavari, vakavangarara uye vakasindimara. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’ Uye kunyange vakanzwa kana kuramba kunzwa, nokuti ivo imba inomukira, vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo. Uye iwe, mwanakomana womunhu, usavatya kana mashoko avo. Usatya, kunyange wakakombwa neminzwa norukato uye ugere pakati pezvinyavada. Usatya zvavanotaura kana kuvhundutswa navo, kunyange vari imba inomukira. Unofanira kutaura mashoko angu kwavari kunyange vakateerera kana vakaramba kuteerera, nokuti ivo vanondimukira. Asi iwe, mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza. Usandimukira sezvinoita imba iyo inondimukira; shama muromo wako udye zvandinokupa.” Ipapo ndakatarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri. Marwuri makanga mune gwaro, rakapetenurwa pamberi pangu. Rakanga rakanyorwa kumativi aro ose mashoko amariro nokuchema nenhamo. Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu, zvino ugoenda undotaura neimba yaIsraeri.” Saka ndakashama muromo wangu, iye akandipa rugwaro kuti ndidye. Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu rwandinokupa uzadze dumbu rako narwo.” Saka ndakarudya, uye rwaitapira souchi mumukanwa mangu. Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chienda zvino kuimba yaIsraeri undotaura mashoko angu kwavari. Hausi kutumwa kuvanhu vane mutauro usinganzwisisiki uye norurimi runogozha, asi kuimba yaIsraeri, kwete kumarudzi mazhinji vane mitauro isinganzwisisiki norurimi rwakagozha, vana mashoko ausingagoni kunzwisisa. Zvirokwazvo dai ndakanga ndakutuma kwavari, vangadai vakakunzwa. Asi imba yaIsraeri haidi kukuteerera nokuti haidi kunditeerera, nokuti imba yose yaIsraeri yakaomeswa mwoyo uye yakavangarara. Tarira ndichaomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo. Ndichaomesa huma yako sebwe rakaomesesa, rakaoma kupfuura romusarasara. Usavatya kana kuvhunduswa navo, kunyange vari imba inomukira.” Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, nditeererese uye uise mashoko ose andinotaura mumwoyo mako. Chienda zvino kuvanhu venyika yako vari muutapwa undotaura kwavari. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ kunyange vakateerera kana vakaramba kuteerera.” Ipapo mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu inzwi rokuunga kukuru richiti, “Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe munzvimbo yaanogara!” Uye ndakanzwa mubvumo wamapapiro ezvisikwa zvipenyu aigunzvana uye nomubvumo wamavhiri parutivi rwazvo, achirira zvikuru. Ipapo Mweya wakandisimudza ukandiendesa kure uye ndakaenda ndine shungu ndakatsamwa pamweya wangu, uye ruoko rune simba rwaJehovha rwuri pamusoro pangu. Ndakasvika kuna vakatapwa vaigara kuTera Abhibhi pedyo noRwizi rweKebhari. Zvino ipapo pavaigara, ndakagara pakati pavo kwamazuva manomwe, ndichishayiwa mashoko. Shure kwokupera kwamazuva manomwe, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka chinzwa shoko randinotaura uye uvayambire neyambiro inobva kwandiri. Kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Uchafa zvirokwazvo,’ iwe ukasamuyambira kana kutaura uchimunyevera panzira dzake dzakaipa kuti uponese mweya wake, munhu uye akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza pamusoro pako. Asi kana iwe ukamuyambira asi iye akaramba kutendeuka pazvakaipa zvake kana panzira dzake dzakaipa, iye achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe uchange wazviponesa. “Zvakare, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake uye akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa. Sezvo usina kumuyambira, iye achafa nokuda kwechivi chake. Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi, uye iwe uchava nemhosva yeropa rake. Asi kana ukanyevera munhu akarurama uyu kuti arege kutadza uye akarega kutadza zvirokwazvo achararama nokuti akanzwa kunyeverwa, iwe uchange wazviponesa.” Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu ipapo, uye akati kwandiri, “Simuka uende kubani uye ndichataura newe ikoko.” Saka ndakasimuka ndikaenda kubani. Uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kumire ipapo, kwakaita sokubwinya kwandakamboona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu. Ipapo Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu. Akataura kwandiri akati, “Enda undozvipfigira mumba mako. Zvino iwe, mwanakomana womunhu, vachakusunga netambo; uchasungwa zvokuti haungabudi uchienda kuvanhu. Ndichaita kuti rurimi rwako runamire kumusoro kwomuromo wako kuitira kuti unyarare ukonewe kuvatsiura, kunyange vari imba yokumukira. Asi pandinotaura newe, ndichazarura muromo wako uye uchati kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’ Ani naani anonzwa ngaanzwe, uye ani naani anoramba ngaarambe hake; nokuti ivo imba yokumukira. “Zvino, Mwanakomana womunhu, tora chidhina chevhu, uchiise pamberi pako ugodhirowa Jerusarema pamusoro pacho. Ipapo ugorikomba: Umise nhare dzokurwa naro, uvake dhunduru revhu rokusvitsa pariri, udzike misasa ugorikomberedza nezvokuparadza nazvo masvingo. Ipapo utore pani yesimbi, ugoimisa sorusvingo rwesimbi pakati pako iwe neguta ugorinzira chiso chako kwariri. Richakombwa, uye iwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsraeri. “Ipapo iwe ugovata norutivi rwako rworuboshwe ugoisa chivi cheimba yaIsraeri pamusoro pako. Iwe unofanira kutakura chivi chavo kwamazuva aunovata norutivi rwako. Ndakakutarira mazuva mamwe chetewo zvakaenzana namakore echivi chavo. Saka uchatakura chivi cheimba yaIsraeri kwamazuva mazana matatu namakumi mapfumbamwe. “Kana uchinge wapedza izvi, uvatezve pasi, panguva ino, norutivi rwako rworudyi, ugotakura chivi cheimba yaJudha. Ndakakutarira mazuva makumi mana, zuva rimwe pagore roga roga. Urinzire chiso chako wakatarira kukombwa kweJerusarema uye noruoko rwako rwakashama uprofite pamusoro paro. Ndichakusunga netambo kuitira kuti ukonewe kutendeukira kune rumwe rutivi uchibva kune rumwe kusvikira wapedza mazuva okukomba kwako. “Utore gorosi nebhari, bhinzi nenyemba, mapfunde nesipereti; uzviise mumudziyo wokuchengetera uzvibikire chingwa. Unofanira kuchidya pamazuva mazana matatu namakumi mapfumbamwe wakavata norutivi. Uyere mashekeri makumi maviria ezvokudya kuti udye zuva rimwe nerimwe uye udye nenguva dzakatarwa. Uyezve, uyere chetanhatu chehinib yemvura ugoinwa nenguva dzakatarwa. Udye chokudya chakaita sekeke rebhari sapaunoda; uzvibike pamberi pavanhu, uchishandisa ndove yavanhu sehuni dzokubikisa.” Jehovha akati, “Nenzira iyi, vanhu veIsraeri vachadya zvokudya zvakasvibiswa pakati pendudzi uko kwandichavadzingira.” Ipapo ndakati, “Kwete, Ishe Jehovha! Handina kumbozvisvibisa. Kubva pauduku hwangu kusvikira zvino handina kumbodya chinhu chipi zvacho chakawanikwa chakafa kana chakabvamburwa nezvikara. Hapana nyama yakasvibiswa yakambopinda mumukanwa mangu.” Iye akati, “Zvakanaka, ndichakutendera kuti ubike chingwa chako nendove yemombe pachinzvimbo chetsvina yavanhu.” Zvino akazoti kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ndichamisa kupiwa kwezvokudya muJerusarema. Vanhu vachadya zvokudya zvakayerwa vachifunganya uye vachanwa mvura yakayerwa vapererwa, nokuti zvokudya nemvura zvichashayikwa. Mumwe achavhunduka achiona mumwe uye vachaonda nokuda kwechivi chavo. “Zvino, Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza ugoushandisa sechisvo chomugeri kuti uveure musoro wako nendebvu dzako. Ipapo utore zviyero zviviri ugokamura bvudzi. Panopera mazuva okukomba kwako, upise nomoto chetatu chebvudzi uri mukati meguta. Ugotora chimwe chetatu uchiteme nomunondo uchipoteredza guta. Ugoparadzira chimwe chetatu kumhepo. Nokuti ini ndichavadzingirira nomunondo wakavhomorwa. Asi utore rimwe bvudzi shoma shoma uriise pamipendero yenguo dzako. Uyezve, utore rimwe shoma racho urikandire mumoto ugoripisa. Moto uchapararira kubva ipapo uchienda kuimba yose yaIsraeri. “Zvanzi naIshe Jehovha: Iri ndiro Jerusarema, randakaisa pakati pendudzi, nenyika dzakaripoteredza. Asi pakuipa kwaro rakamukira mirayiro yangu nemitemo yangu kupfuura ndudzi nenyika dzakaripoteredza. Rakaramba mirayiro yangu uye harina kutevera mitemo yangu. “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Wanga usingazvidzori kupfuura ndudzi dzakakupoteredza uye hauna kutevera mitemo yangu kana kuchengeta mirayiro yangu. Hauna kana kumbotevedzera tsika dzendudzi dzakakupoteredza. “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndinokurwisa iwe Jerusarema, uye ndichakuranga pamberi pedzimwe ndudzi. Nokuda kwezvifananidzo zvako zvinonyangadza, ndichakuitira zvandisina kumboita kare uye handichazozviitizve. Naizvozvo pakati pako madzibaba vachadya vana vavo, uye vana vachadya madzibaba avo. Ndichakuranga uye ndichaparadzira vakasara vako vose kumhepo zhinji. Naizvozvo noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvakaumbwa zvako zvinonyangadza uye namaitiro ako anosemesa, ini ndimene ndichabvisa nyasha dzangu kwauri handichakutarisi netsitsi kana kukuponesa. Chikamu chetatu chavanhu vako vachafa nehosha kana kufa nenzara mukati mako; chimwe chikamu chetatu chichawa nokuda kwomunondo kunze kwamasvingo ako; uye chimwe chikamu chetatu ndichachiparadzira kumhepo zhinji ndigochitevera nomunondo wakavhomorwa. “Ipapo kutsamwa kwangu kuchapera uye hasha dzangu dzichabva pamusoro pavo, uye ndichange ndatsiva. Uye hasha dzangu padzichange dzapera pamusoro pavo, vachaziva kuti ini Jehovha ndazvitaura nokushingaira kwangu. “Ndichakuita dongo nechinhu chinoshorwa pakati pendudzi dzakakupoteredza, pamberi pavose vanopfuura napo. Uchava chinhu chinoshorwa nechiseko, yambiro nechinhu chinotyisa kundudzi dzakakupoteredza pandinokuranga mukutsamwa nehasha dzangu uye nechituko chinobaya. Ini Jehovha ndataura. Pandinokupfura nemiseve yangu yenzara, inouraya uye inoparadza, ndichapfura kuti ndikuparadze. Ndichauyisa nzara pamusoro penzara pamusoro pako uye ndichamisa kupiwa kwako zvokudya. Ndichatuma nzara nezvikara kuti zvizokurwisa, uye zvichakusiya usisina mwana. Denda nokuteuka kweropa zvichapfuura nomauri, uye ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha ndataura.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kumakomo eIsraeri; uprofite pamusoro pawo uchiti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nokumipata: Ndava pedyo nokuuyisa munondo kuti uzokurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira. Aritari dzenyu dzichaondomorwa uye aritari dzenyu dzezvinonhuwira dzichaputswa; uye ndichauraya vanhu venyu pamberi pezvifananidzo zvenyu. Ndicharadzika zvitunha zvavaIsraeri pamberi pezvifananidzo zvavo, uye ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose earitari dzenyu. Pose pamunogara, maguta achaparadzwa uye nzvimbo dzakakwirira dzichakoromorwa, kuitira kuti aritari dzenyu dziparadzwe ave matongo, zvifananidzo zvenyu zvipwanyiwe uye zviparadzwe, aritari dzenyu dzezvinonhuwira dziputsirwe pasi, uye zvamakaita zvipedzwe chose. Vanhu venyu vachawira pasi ivo vaurayiwa pakati penyu, uye muchaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Asi ndichasiya vamwe, nokuti vamwe venyu vachapukunyuka pamunondo pamuchaparadzirwa pakati penyika nendudzi. Ipapo vakapukunyuka vachandirangarira vari pakati pendudzi kwavakaendeswa kuutapwa, kuti ndakashungurudzwa sei nemwoyo yavo youfeve, iyo yakatsauka kubva kwandiri, uye nameso avo, akachiva zvifananidzo zvavo. Vachazvisema pachavo nokuda kwezvakaipa zvavakaita nezvinyangadzo zvavo zvose. Uye vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kutaura pasina kuti ndichauyisa njodzi iyi pamusoro pavo. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Rovai maoko enyu pamwe chete uye mudzane-dzane netsoka dzenyu mudanidzire muchiti, “Maiwe!” nokuda kwezvakaipa zvose nezvinonyangadza zveimba yaIsraeri, nokuti vachaurayiwa nomunondo, nzara nedenda. Ari kure achaurayiwa nedenda, uye ari pedyo achaurayiwa nomunondo, uye uyo achapona akararama, achafa nenzara. Saka ndichapedzera hasha dzangu pamusoro pavo. Uye vachaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo vakaurayiwa vari pakati pezvifananidzo zvavo zvakapoteredza aritari dzavo, napazvikomo zvose zvakakwirira napamusoro pamakomo ose, napasi pemiti yakapfumvutira nemiti yomuouki yose ina mashizha panzvimbo dzavaipira zvinonhuwira kuzvifananidzo zvavo zvose. Uye ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndivarwise ndigoparadza nyika nokuita dongo kubva kugwenga kusvikira kuDhibhira, kwose kwose kwavanogara. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yeIsraeri: Kuguma! Kuguma kwasvika kumativi mana enyika. Kuguma kwava pamusoro pako zvino uye ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako. Ndichakutonga zvakafanira tsika dzako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose. Handizokunzwiri ngoni kana kukuponesa; zvirokwazvo ndichakutsiva zvakafanira tsika dzako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha. “Zvanzi naIshe Jehovha: Njodzi! Njodzi isina kumbonzwikwa nezvayo iri kuuya! Kuguma kwasvika! Kuguma kwasvika! Kwamuka kuti kuzokurwisai. Kwauya! Kuparadzwa kwauya pamusoro pako, iwe ugere panyika. Nguva yasvika, zuva rava pedyo; pava nokutya, kwete mufaro, pamusoro pamakomo. Ndava pedyo nokudurura hasha dzangu pamusoro pako ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pako; ndichakutonga zvakafanira mafambiro ako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose. Handizombokunzwiri ngoni kana kukuponesa; ndichakutsiva zvakafanira mafambiro ako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndiri kukurova. “Zuva rasvika! Rauya! Kuparadzwa kwabuda, shamhu yabukira, kuzvikudza kwatumbuka! Kuita nechisimba kwakura kukava shamhu yokuranga zvakaipa; hakuna mumwe wavanhu ava achasara, hakuna pavazhinji vavo ivavo, kana pfuma kana chinokosha. Nguva yauya, zuva rasvika. Mutengi ngaarege kufara uye mutengesi ngaarege kusuwa, nokuti hasha dziri pamusoro pavazhinji vose. Mutengesi haangadzorerwi nyika yaakanga atengesa kana vose vari vaviri vachiri vapenyu, nokuti chiratidzo chakaonekwa pamusoro pavazhinji vose chichazozadziswa. Nokuda kwezvivi zvavo, hakuna kana mumwe wavo achachengetedza upenyu hwake. Kunyange vakaridza hwamanda nokugadzirira zvose, hapana achaenda kuhondo, nokuti hasha dzangu dziri pamusoro pavazhinji vose. “Kunze kuno munondo, mukati mune denda nenzara; vaya vari musango vachafa nomunondo, uye vari muguta vachapedzwa nenzara nedenda. Vose vanorarama vachapukunyuka vachange vari mumakomo, vachirira senjiva dzomumipata, mumwe nomumwe nokuda kwezvivi zvake. Ruoko rumwe norumwe ruchapera simba uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura. Vachafuka nguo dzamasaga uye vachafukidzwa nokutya. Zviso zvavo zvichafukidzwa nenyadzi uye misoro yavo ichaveurwa. Vachakanda sirivha yavo munzira dzomumisha, uye goridhe yavo ichava chinhu chisina kuchena. Sirivha yavo negoridhe ravo hazvingavaponesi pazuva rokutsamwa kwaJehovha. Hazvingapedzi nzara yavo kana kugutsa matumbu avo nazvo, nokuti ndizvo zvakavagumbusa vakapinda muchivi. Vakanga vachizvikudza nokuda kwoukomba hwavo hwakanaka uye vachihushandisa kuita zvifananidzo zvinonyangadza nezviumbwa zvakaipisisa. Naizvozvo ndichashandura izvi, zvikava chinhu chine tsvina kwavari. Ndichazvipa zvose kuvatorwa sezvinhu zvakapambwa uye sepfuma ingapambwa navakaipa venyika, uye vachazvisvibisa. Ndichavafuratira uye vachasvibisa nzvimbo yangu inokosha; mbavha dzichapinda mairi dzigoisvibisa. “Gadzirai ngetani, nokuti nyika izere nokuteura ropa uye guta rizere nokuita nechisimba. Ndichauyisa vanhu vakaipisisa vendudzi kuti vavatorere dzimba dzavo; ndichaita kuti kuzvikudza kwavane simba kugume, uye nzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa. Kana kutya kwauya, vachatsvaka rugare asi havangaruwani. Kuchauya njodzi pamusoro penjodzi uye guhu pamusoro peguhu. Vachaedza kutsvaka chiratidzo kumuprofita; kudzidziswa murayiro nomuprista kuchashayikwa, namazano anobva kuvakuruwo achashayikwa. Mambo achachema, muchinda achafukidzwa nokuora mwoyo, uye maoko avanhu vomunyika achadedera. Ndichavaitira zvakafanira mafambiro avo, uye ndichavatonga nemitemo yavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.” Mugore rechitanhatu, mumwedzi wechitanhatu pazuva reshanu, pandakanga ndirere mumba mangu uye vakuru veJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha rwakauya pamusoro pangu ipapo. Ndakatarisa, ndikaona chimiro chakaita sechomunhu. Kubva ipapo zvichikwira kumusoro, kuratidzika kwake kwainge kuchibwinya sedare rinopisa. Akatambanudza chakanga chakaita soruoko akandibata nebvudzi romusoro wangu. Mweya akandisimudza pakati penyika nedenga uye muzviratidzo zvaMwari akanditora akandiendesa kuJerusarema, kumukova wokusuo rokumusoro roruvazhe rwomukati, pakanga pamire chifananidzo chinomutsa godo. Uye ipapo pamberi pangu pakanga pane kubwinya kwaMwari waIsraeri, sapachiratidzo chandakanga ndaona mubani. Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira kumusoro.” Naizvozvo ndakatarisa, uye pamukova wokumusoro kwesuo rearitari ndakaona chifananidzo ichi chegodo. Uye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, unoona zvavari kuita here, izvo zvinhu zvinonyangadza chose zvinoitwa neimba yaIsraeri pano, zvinhu zvichandiisa kure neimba yangu tsvene? Asika, uchaona zvimwe zvinhu zvinonyangadza kwazvo.” Ipapo akaenda neni kumukova wokuruvazhe. Ndakatarisa ndikaona buri pamadziro. Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chichera zvino mumadziro.” Saka ndakachera mumadziro ndikaona mukova imomo. Ipapo akati kwandiri, “Pinda mukati undoona zvinhu zvakaipa uye zvinonyangadza zvavanoita pano.” Saka ndakapinda mukati ndikatarisa, ndikaona mifananidzo pamadziro ose yezvinhu zvose zvinokambaira uye nemhuka dzinonyangadza nezvifananidzo zvose zveimba yaIsraeri. Pamberi pazvo pakanga pamire vakuru makumi manomwe veimba yaIsraeri, uye Jaazania mwanakomana waShafani akanga akamira pakati pavo. Mumwe nomumwe akanga akabata hadyana yezvinonhuwira muruoko rwake, uye munhuwi wegore rezvinonhuwira wakanga uchingokwira. Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, waona here zvinoitwa navakuru veimba yaIsraeri murima, mumwe nomumwe pashongwe yechifananidzo chake? Vanoti, ‘Jehovha haationi, Jehovha akaramba nyika.’ ” Akatizve, “Uchavaona vachiita zvinhu zvinonyangadza kupfuura izvi.” Ipapo akaenda neni kumukova wokusuo rokumusoro weimba yaJehovha, ndikaona vakadzi vagerepo, vachichema Tamuzi. Iye akati kwandiri, “Unoona here izvi, mwanakomana womunhu? Uchaona zvinhu zvakatonyanya kuipa kupfuura izvi.” Zvino akaenda neni kuruvazhe rwomukati meimba yaJehovha, uye ipapo pamukova wetemberi, pakati pebiravira nearitari, pakanga pana varume vaikarosvika makumi maviri navashanu. Vakafuratira temberi yaJehovha uye zviso zvavo zvakatarisa kumabvazuva, vakanga vachipfugamira zuva kurutivi rwamabvazuva. Akati kwandiri, “Wazviona here izvi, iwe mwanakomana womunhu? Chinhu chiduku here kuimba yaJudha kuti vaite zvinhu zvinonyangadza zvavari kuita pano? Vanofanira here kuzadzazve nyika nechisimba uye nokuramba vachinditsamwisa? Vatarise vachiisa davi kumhuno dzavo. Naizvozvo ndichavaranga nehasha; handingavanzwiri tsitsi kana kuvaponesa. Kunyange vakaridza mhere munzeve dzangu, handingavanzwi.” Ipapo ndakamunzwa achidanidzira nenzwi guru achiti, “Uya navarindi veguta pano, mumwe nomumwe ano munondo muruoko rwake.” Ipapo ndakaona varume vatanhatu vachiuya vachibva nokurutivi rwesuo rokumusoro, rakatarisa kumusoro, mumwe nomumwe ano munondo unopinza kwazvo muruoko rwake. Pakati pavo pakanga pano murume akanga akapfeka mucheka werineni ane zvinyoreso parutivi rwake. Ivo vakapinda vakamira parutivi rwearitari yendarira. Zvino kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakakwira kuchibva pamusoro pamakerubhi, pakwakanga kuri, ndokuswedera kuchikumbaridzo chetemberi. Ipapo Jehovha akadana murume akanga akapfeka mucheka uya akanga ane zvinyoreso parutivi rwake akati kwaari, “Pfuura nomuguta rose reJerusarema uye uise munembo pahuma dzavaya vanotsutsumwa navanochema pamusoro pezvinhu zvinonyangadza zvinoitwa mariri.” Ndichakateerera, iye akati kuna vamwe, “Muteverei nomukati meguta, muuraye, musingambonzwiri ngoni kana tsitsi. Urayai vatana, majaya navarandakadzi, madzimai navana, asi musabata ani zvake ano munembo. Mutangire paimba tsvene yangu.” Saka vakatanga navakuru vakanga vari mberi kwetemberi. Ipapo akati kwavari, “Svibisai temberi muzadze mavazhe navakaurayiwa. Endai!” Naizvozvo vakaenda vakatanga kuuraya muguta rose. Pavakanga vachiuraya, uye ini ndasara ndoga, ndakawira pasi nechiso, ndichidanidzira, ndichiti, “Haiwa, Ishe Jehovha! Muchaparadza vakasara vose vaIsraeri pakudururwa kwehasha dzenyu pamusoro peJerusarema here?” Iye akandipindura achiti, “Chivi cheimba yaIsraeri neJudha chakura kwazvo; nyika yazara nokuteura ropa uye guta razara nokusaruramisira. Ivo vanoti, ‘Jehovha akaramba nyika; Jehovha haaoni.’ Saka handingambovanzwiri tsitsi kana kuvaponesa, asi ndichauyisa pamisoro yavo zvavakaita.” Ipapo murume uya akanga akapfeka mucheka werineni ane zvokunyoresa parutivi pake akadzoka neshoko, achiti, “Ndaita sezvamakarayira.” Ndakatarisa, ndikaona chinhu chakafanana nechigaro choushe chesafire pamusoro pedenga raiva pamusoro pemisoro yamakerubhimi. Jehovha akati kumurume uya akanga akapfeka mucheka werineni, “Enda pakati pamavhiri ari munyasi mamakerubhi. Uzadze maoko ako namazimbe anopisa anobva pamakerubhi ugoaparadzira pamusoro peguta.” Iye akapinda ini ndakatarira. Zvino makerubhi akanga akamira parutivi rwezasi kwetemberi murume paakapinda, uye gore rakazadza ruvazhe rwomukati. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakakwira pamusoro pamakerubhi kukaswedera kuchikumbaridzo chetemberi. Gore rakazadza temberi, uye ruvazhe rukazadzwa nokupenya kwokubwinya kwaJehovha. Mubvumo wamapapiro amakerubhi wainzwika kusvikira kuruvazhe rwokunze, senzwi raMwari Wamasimba Ose kana achitaura. Jehovha akati arayira murume akanga akafuka mucheka werineni, achiti, “Tora moto pakati pamavhiri, kubva pamakerubhi,” murume akapinda mukati akamira parutivi rwevhiri. Ipapo rimwe ramakerubhi rakatambanudzira ruoko rwaro kumoto wakanga uri pakati pawo. Akatora mumwe moto ndokuuisa mumaoko omurume akanga akafuka mucheka werineni, iye ndokuutora ndokuenda nawo panze. (Pasi pamapapiro amakerubhi paionekwa chinhu chainge maoko omunhu.) Ndakatarisa, ndikaona parutivi rwamakerubhi mavhiri mana, rimwe vhiri parutivi rwekerubhi rimwe nerimwe, mavhiri acho aivaima kunge ibwe rekrisorite. Pakuonekwa kwawo, mana acho akanga akafanana; rimwe nerimwe rakanga rakaita sevhiri riri mukati merimwe vhiri. Paaifamba aigona kuenda neimwe yenzira ina kwakanga kwakatarisa makerubhi; mavhiri haana kutsauka pakufamba kwaiita makerubhi. Makerubhi akaenda munzira ipi zvayo kwakanga kwakatarira musoro, asingatsauki pakufamba kwawo. Miviri yawo yose, pamwe chete nemisana yawo, maoko awo namapapiro awo, zvakanga zvakazara nameso, zvakanga zvakadarowo namavhiri awo ari mana. Ndakanzwa mavhiri achitumidzwa zita rokuti mavhiri okumonereka.” Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina: Chimwe chiso chakanga chiri chekerubhi, chechipiri chakanga chiri chiso chomunhu, chiso chechitatu chakanga chiri cheshumba, chiso chechina chakanga chiri chegondo. Ipapo makerubhi akabhururuka achikwira kumusoro. Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakaona ndiri paRwizi rweKebha. Makerubhi aiti ofamba, mavhiri aiva parutivi rwawo ofambawo; makerubhi aiti akatambanudza mapapiro awo kuti abhururuke kubva pasi, mavhiri akanga asingabvi parutivi rwawo. Kana makerubhi akamira, iwo aimirawo; uye makerubhi akabhururuka, iwo aisimuka pamwe chete nawo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri maari. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakabva pamusoro pachikumbaridzo chetemberi kukamira pamusoro pamakerubhi. Ndichakatarisa izvi, makerubhi akatambanudza mapapiro awo ndokubhururuka kubva pasi, uye paaienda, mavhiri aiendawo nawo. Akandomira pamukova wesuo rokumabvazuva kweimba yaJehovha, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo. Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakanga ndaona pasi paMwari waIsraeri paRwizi rweKebha, uye ndikaziva kuti akanga ari makerubhi. Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina namapapiro mana, uye pasi pamapapiro awo pakanga pane zvairatidzika samaoko omunhu. Zviso zvawo zvakanga zvichitaridzika sezviya zvandakanga ndamboona paRwizi rweKebha. Chimwe nechimwe chaifamba chakananga mberi. Ipapo Mweya wakandisimudza ukaenda neni pasuo reimba yaJehovha rakatarira kumabvazuva. Pamukova wesuo ipapo, pakanga pana varume makumi maviri navashanu, uye ndakaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri naPeratia mwanakomana waBhenaya, vatungamiri vavanhu. Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanorangana zvakaipa nokupa mano akaipa muguta rino. Vanoti, ‘Ko, nguva haisati yasvika here yokuvaka dzimba? Guta rino ihari yokubikira, uye isu tisu nyama.’ Naizvozvo profita pamusoro pavo; profita, mwanakomana womunhu.” Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pangu, iye akanditaurira kuti nditi: “Zvanzi naJehovha: Ndizvo zvamunotaura, imi imba yaIsraeri, asi ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu. Makauraya vanhu vazhinji muguta rino uye mukazadza nzira dzaro nevakafa. “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvitunha zvamakandamo ndiyo nyama uye guta rino ndiyo hari, asi ini ndichakubudisai mariri. Munotya munondo, zvino munondo ndiwo wandichauyisa kuzokurwisai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichakubudisai kunze kweguta ndigokuisai mumaoko avatorwa uye ndichakurangai. Muchaurayiwa nomunondo, uye ini ndichakutongai pamiganhu yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. Guta rino haringavi hari kwamuri, nemi hamungavi nyama mariri; ndichakutongai ini pamiganhu yeIsraeri. Uye muchaziva kuti ndini Jehovha, nokuti hamuna kutevera mitemo yangu kana kuchengeta mirayiro yangu asi makafamba netsika dzendudzi dzakakupoteredzai.” Zvino ndakati ndichiprofita, Peratia mwanakomana waBhenaya akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso ndikachema zvikuru ndichiti, “Haiwa Ishe Jehovha! Ko, muchaparadza chose vakasara vaIsraeri here?” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako dzeropa neimba yose yaIsraeri, ndivo vainzi navanhu veJerusarema, ‘Vari kure kwazvo naJehovha; nyika ino takaipiwa kuti ive yedu.’ “Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kunyange ndakavaendesa kure pakati pendudzi uye ndikavaparadzira pakati penyika, asi kwechinguva chiduku ndakanga ndiri nzvimbo yavo tsvene munyika dzavakaenda.’ “Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuunganidzai kubva kundudzi ndigokudzosai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa uye ndichakupaizve nyika yaIsraeri.’ “Vachadzokera kwairi vagobvisa zvifananidzo zvayo zvose zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza. Ndichavapa mwoyo mumwe nokuisa mweya mutsva mukati mavo; ndichabvisa mwoyo webwe mukati mavo ndigovapa mwoyo wenyama. Ipapo vachatevera mitemo yangu uye vachachenjerera kuchengeta mirayiro yangu. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo. Asi kana vari vaya vane mwoyo inotevera zvakaumbwa zvavo zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza, ndichaburutsa pamisoro yavo chaiyo zvavakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Ipapo makerubhi namavhiri parutivi pawo akatambanudza mapapiro awo, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo. Kubwinya kwaJehovha kwakakwira kuchibva mukati meguta kukandomira pamusoro pegomo nechokumabvazuva kwaro. Mweya wakandisimudza ukaenda neni kuna vakatapwa vari muBhabhironi muchiratidzo chakapiwa noMweya waMwari. Ipapo chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa kubva pandiri, uye ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, iwe ugere pakati pavanhu vanondimukira. Vane meso okuona asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi, nokuti vanhu vokumukira. “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, rongedza midziyo yako utame uye utame masikati, vakakutarira, ubude ubve panzvimbo yauri uende kune imwe nzvimbo. Zvimwe vachanzwisisa, kunyange vari imba inondimukira. Masikati chaiwo, vakatarira, iwe budisa nhumbi dzako dzakarongedzerwa kutama. Ipapo panguva yamadekwana, ivo vakatarira, buda iwe sezvinoita vaya vanoenda muutapwa. Uboore masvingo vakatarira ugotora nhumbi dzako ubude napo. Udziise papfudzi rako ivo vakangotarisa ugobuda nadzo kwasviba. Ufukidze chiso chako kuti urege kuona nyika, nokuti ndakuita chiratidzo kuimba yaIsraeri.” Saka ndakaita sezvandakarayirwa. Panguva yamasikati ndakabudisa zvinhu zvangu zvarongedzerwa kutama. Zvino panguva yamadekwana ndakaboora masvingo namaoko angu. Ndakabudisa nhumbi dzangu kwasviba, ndakazvitakura pamapfudzi angu ivo vakangotarisa. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri panguva yamangwanani richiti, “Mwanakomana womunhu, imba iyo yokundimukira yaIsraeri haina kukubvunza here kuti, ‘Uri kuiteiko?’ “Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusarema neimba yese yaIsraeri iripo. Uti kwavari, ‘Ini ndiri chiratidzo kwamuri.’ Sezvandakaita, ndizvo zvavachaitirwawo. Vachaenda kuutapwa senhapwa. “Muchinda ari pakati pavo achaisa zvinhu zvake papfudzi kwasviba agoenda, uye achaboorerwa buri rokubuda naro parusvingo. Achafukidza chiso chake kuitira kuti arege kuona nyika. Ndichamutambanudzira mumbure wangu, uye achabatwa mumusungo wangu; ndichamuendesa kuBhabhironi, nyika yavaKaradhea, asi haasi kuzoiona, uye ikoko ndiko kwaachafira. Ndichaparadzira kumhepo vose vakamupoteredza, vashandiri vake namauto ake, uye ndichavateverera nomunondo wakavhomorwa. “Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavaparadzira pakati pendudzi nokuvaparadzira kunyika dzose. Asi ndichasiya vashoma vavo pamunondo, napanzara nedenda, kuitira kuti pakati pendudzi kwavachaenda zvimwe vangarangarira zvinyangadzo zvavo zvavakaita zvose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, udedere paunenge uchidya zvokudya zvako, uye ubvunde nokutya paunonwa mvura yako. Uti kuvanhu venyika, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavanogara muJerusarema uye munyika yaIsraeri kuti: Vachadya zvokudya zvavo nokufunganya nokunwa mvura yavo vaora mwoyo, nokuti nyika yavo ichatorerwa zviri mairi nokuda kwechisimba chaavo vose vanogaramo. Maguta anogarwa navanhu achaitwa ndongo uye nyika ichaparadzwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, chirevo ichi chamunacho munyika yaIsraeri ndecheiko chinoti, ‘Mazuva ari kungopera uye zviratidzo zvose zvinongova pasina?’ Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichaita kuti chirevo ichi chigume, uye havachazochitauri muIsraeri.’ Uti kwavari, ‘Mazuva aswedera okuti zviratidzo zvose zvizadziswe. Nokuti hakuchazovizve nezviratidzo zvenhema kana kuvuka kunobata kumeso pakati pavanhu veIsraeri. Asi ini Jehovha ndichataura zvandichataura, uye zvichazadzisika zvisinganonoki. Nokuti pamazuva enyu, imi imba yokumukira, ndichazadzisa zvose zvandinotaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri iri kuti, ‘Chiratidzo chaanoona ndechamakore mazhinji kubva iye zvino, uye anoprofita zvenguva inouya zviri kure.’ “Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna shoko rangu richanonokazve; zvose zvandinoreva zvichazadzisika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavaprofita vaIsraeri vari kukuprofiterai zvino. Uti kuna avo vanoprofita zvinobva pamurangariro wavo, ‘Inzwai shoko raJehovha! Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vaprofita mapenzi vanotevera mweya yavo pachavo ivo vasina chavakaona! Vaprofita venyu, imi vaIsraeri, vakafanana namakava ari pakati pamatongo. Hamuna kukwira pakakoromoka porusvingo kuti mupagadzirire imba yaIsraeri, kuti igomira yakasimba pahondo pazuva raJehovha. Zviratidzo zvavo ndezvenhema uye kuvuka kwavo inhema. Ivo vanoti, “Jehovha anoti,” asi Jehovha asina kuvatuma; asi vanotarisira kuti mashoko avo azadzisike. Hauna kuona zviratidzo zvenhema here uye mukataura nhema pakuvuka pamainge muchiti, “Jehovha anoti,” kunyange zvangu ndisina kutaura? “ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwamashoko enyu enhema nezviratidzo zvenhema ndinokupai mhosva, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ruoko rwangu rucharwa navaprofita vanoona zviratidzo zvenhema nokutaura kuvuka kwenhema. Havangavi pakati pamakurukota avanhu vangu kana kunyorwa muzvinyorwa zveimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha. “ ‘Nokuda kwokuti vanotsausa vanhu vangu, vachiti, “Rugare,” ipo pasina rugare, uye nokuti pavanovaka rusvingo rwakatetepa vanorupenda nependi chena. Naizvozvo udza ivavo vanorupenda kuti ruchawa. Mvura ichanaya yakawanda, uye ndichatuma chimvuramabwe chicharova pasi, uye mhepo dzine simba dzichavhuvhuta. Panoondomoka rusvingo vanhu havazokubvunzi here vachiti, “Iripiko pendi chena yamakarupenda nayo?” “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Muhasha dzangu ndichasunungura mhepo ine simba, uye pakutsamwa kwangu chimvuramabwe nemvura zhinji zvichanaya nokuparadza kunotyisa. Ndichaparadza rusvingo rwawakapenda nependi chena uye ndicharukoromora ndigorusiya rwati ware ware pasi zvokuti nheyo dzarwo dzichasara dzava pachena. Paruchakoromoka, nemi muchaparadzwa murimo; uye muchaziva kuti ndini Jehovha. Saka ndichapedzera hasha dzangu parusvingo napamusoro pavaya vairupenda nependi chena. Ndichati kwamuri, “Rusvingo rwaparara uye naivowo vakarupenda nependi chena, Vaya vaprofita veIsraeri vakaprofita pamusoro peJerusarema uye vakaona zviratidzo zvorugare rwaro nyamba kwakanga kusina rugare, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”’ “Zvino, iwe mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro pavanasikana vavanhu vako vanoprofita zvinobva mundangariro dzavo. Profita pamusoro pavo, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vakadzi vanosonera mazango pamaoko avo uye vanoita zvifukidzo zvemisoro yavo zvemhando dzakasiyana-siyana pakureba vachiitira kuti vateye vanhu nazvo. Ko, imi muchateya upenyu hwavanhu vangu asi muchichengetedza hwenyu here? Makandisvibisa pakati pavanhu vangu nokuda kwezviyero zvishoma zvebhari namafufu echingwa. Pamakareva nhema kuvanhu vangu, vanoteerera nhema, makauraya vaya vakanga vasingafaniri kufa, mukasiya vakanga vasingafaniri kurarama. “ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Ndinovenga mazango enyu amunoteya nawo vanhu kunge munoteya shiri, zvino ndichaadambura pamaoko enyu; ndichasunungura vanhu vamunoteya seshiri. Ndichabvarura mavhoiri enyu ndigoponesa vanhu vangu pamaoko enyu, uye havachazovi nyama mumaoko enyu, uye havachazobatwizve nesimba renyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. Nokuti makaodza mwoyo yavakarurama nenhema dzenyu, vandakanga ndisina kuchemedza ini, uye nokuti makakurudzira vakaipa kuti varege kutendeuka panzira dzavo dzakaipa nokudaro vaponese mweya yavo, naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvenhema kana kuita zvokuvuka. Ndichaponesa vanhu vangu pamaoko enyu. Ipapo zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Vamwe vavakuru veIsraeri vakauya kwandiri vakagara pasi pamberi pangu. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here? Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita, ini Jehovha ndichamupindura pachangu zvinoenderana nokunamata kwake zvifananidzo zvake zvikuru. Ndichaita izvi kuti ndibatezve mwoyo yavanhu veIsraeri, ivo vakandisiya vose kuti vatevere zvifananidzo zvavo.’ “Naizvozvo uti kuimba yeIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Tendeukai! Dzokai mufuratire zvifananidzo zvenyu musiye mabasa enyu ose anonyangadza! “ ‘Kana muIsraeri upi zvake, kana mutorwa agere muIsraeri, akazvitsaura kubva pandiri uye akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita kunobvunza nezvangu, ini Jehovha ndichamupindura pachangu. Ndicharinzira chiso changu pamusoro pomunhu uyo kuti ndimurwise uye ndichamuita muenzaniso netsumo. Ndichamubvisa pakati pavanhu vangu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Uye kana muprofita akanyengerwa kuti ataure chiprofita, ini Jehovha ndini ndamunyengera, uye ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pake ndigomuparadza pakati pavanhu veIsraeri. Vachatakura mhosva yavo ivo, muprofita achava nemhosva zvakangoenzana naiye auya kuzomubvunza. Ipapo vanhu veIsraeri havangazotsaukizve vachibva kwandiri kana kuzvisvibisazve nezvivi zvavo zvose. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, kana nyika ikanditadzira nokusatendeka kwayo uye ini ndikatambanudza ruoko rwangu pamusoro payo kuti ndiparadze kugoverwa kwayo zvokudya nokutumira nzara pamusoro payo nokuuraya vanhu vayo nezvipfuwo zvayo, kunyange dai varume vatatu ava, Noa, naDhanieri naJobho, vaiva mairi vaingogona kuzviponesa ivo pachavo nokuda kwokururama kwavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Kana dai ndikatumira zvikara munyika imomo, izvo zvikaisiya isina kana mwana uye ikazoparadzwa zvokuti pashayikwe anopfuura nomo nokuda kwezvikara, zvirokwazvo, noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume vatatu ava vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo chete ndivo vaingopona, asi nyika yaizoparadzwa. “Kana dai ndaiuyisa munondo kuzorwisa nyika iyo ndikati, ‘Munondo ngaupfuure nomunyika yose,’ uye ndikauraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo, zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume ava vatatu vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo voga ndivo vaizoponeswa. “Kana dai ndikatuma denda munyika ndikadurura hasha dzangu pamusoro payo nokuteura ropa, ndichauraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo, zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai Noa, naDhanieri naJobho vaivamo, havaigona kuponesa mwanakomana kana mwanasikana. Vaingozviponesa ivo chete nokuda kwokururama kwavo. “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Zvichaipisisa sei kana ndikatuma pamusoro peJerusarema zvinotyisa zvina zvandakatonga, zvinoti munondo, nenzara, nezvikara uye nedenda, kuzouraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo! Kunyange zvakadaro hazvo pachava navanosara, vanakomana navanasikana vachabudiswa mairi. Vachauya kwamuri, uye pamunoona tsika dzavo namabasa avo, muchanyaradzwa pamusoro penjodzi yandakauyisa pamusoro peJerusarema, njodzi dzose dzandakauyisa pairi. Muchanyaradzwa pamunoona tsika dzavo namabasa avo, nokuti muchaziva kuti hapana chandakaita mariri pasina chikonzero, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa uri nani kupfuura davi romuti zvawo musango neiko? Ko, pane danda rakambotorwa pauri here kuti rigadziriswe chimwe chinhu chine basa? Ko, vanhu vangaita hoko nawo kuti vanhu vaturike zvinhupo here? Uye shure kwokunge wakandwa mumoto sehuni uye moto ndokuupisa mativi ose ari maviri uye ndokusviba pakati, zvino uchabatsira chinhu here? Kana wanga usingabatsiri chinhu uchiri wakakwana, uchagobatsireiko kana moto waupisa uye wasviba? “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo ndakaisa miti yemizambiringa pakati pemiti yesango sehuni dzomoto, ndizvo zvandichaita kuvanhu vagere muJerusarema. Ndicharinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise. Kunyange zvavo vakabuda mumoto, moto uchavaparadza. Uye pandinorinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise muchaziva kuti ndini Jehovha. Ndichaparadza nyika nokuti vakanga vasina kutendeka, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, tsiura Jerusarema pamwe chete nezvinyangadzo zvaro uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha kuJerusarema: Madzitateguru ako nokwaakaberekerwa ndiko kunyika yeKenani; baba vako vakanga vari muAmori uye mai vako vakanga vari muHiti. Pazuva rawakaberekwa rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti uchene, uye hauna kutongokwizwa nomunyu kana kuputirwa mumucheka. Hakuna munhu akakunzwira tsitsi kana kuva nengoni newe kuti akuitire chinhu chimwe chezvinhu izvi. Asi, wakarasirwa kusango, nokuti musi wawakaberekwa iwe wakashorwa. “ ‘Ipapo ndakapfuura napo ndikakuona uchipfakanyika uri muropa rako, uye pawakanga uvete ipapo uri muropa rako, ndakati kwauri, “Rarama!” Ndakakuita kuti ukure somuti wesango. Wakakura ukanyatsoumbika ukava ukomba hwakaisvonaka. Mazamu ako akakura nebvudzi rako rikakura, iyewe wakanga wakashama usina chinhu. “ ‘Shure kwaizvozvo, ndakapfuura nepauri, uye pandakatarira pauri ndakaona kuti wakanga wakura pane zvorudo, ndikawarira rutivi rwenguwo yangu pamusoro pako ndokukufukidza pakushama kwako. Ndakakupikira ndikaita sungano newe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iwe ukava wangu. “ ‘Ndakakushambidza nemvura uye ndikakugeza kubvisa ropa rako, ndokukuzodza mafuta. Ndakakufukidza nezvakarukwa zvakanaka ndikakupfekedza shangu dzamatehwe. Ndakakufukidza nomucheka wakaisvonaka ndikakufukidza mucheka uno murango unokosha. Ndakakushongedza noukomba: ndikaisa zvishongo zvomumaoko nouketani pamutsipa wako, uye ndakaisa mhete pamhuno yako, nemhete panzeve dzako uye nekorona yakanaka pamusoro wako. Saka wakashongedzwa negoridhe nesirivha; nguo dzako dzaiva dzomucheka wakaisvonaka uye mucheka womutengo mukuru nomucheka wakarukwa. Zvokudya zvako zvaiva zvoupfu hwakatsetseka, nouchi namafuta omuorivhi. Wakabva wanaka chose ukasimukira kusvikira wava mambokadzi. Mukurumbira wokunaka kwako wakapararira pakati pendudzi, nokuti kubwinya kwandakaisa pamusoro pako kwakaita kuti kunaka kwako kuve kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “ ‘Asi iwe wakavimba norunako rwako ukashandisa mbiri yako kuti uve chifeve. Wakazadza munhu wose akapfuura napauri noufeve uye nokuda kworunako rwako ukava wake. Wakatora dzimwe nhumbi dzako ukashongedza nzvimbo dzakakwirira, kwawakaramba uchiitira ufeve hwako. Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kuitika uye hazvifaniri kutomboitwa. Wakatorazve ukomba hwezvishongo zvakaisvonaka zvandakakupa, ukomba hwakaitwa negoridhe nesirivha, uye ukazviitira zvifananidzo zvechirume ndokuita ufeve nazvo. Uye wakatora nguo dzako dzakarukwa kuti ufukidze zvifananidzo, uye ukapira mafuta angu ezvinonhuwira pamberi pazvo. Uyezve zvokudya zvandakakupa, upfu hwakatsetseka, mafuta omuorivhi nouchi zvandakakupa kuti udye, wakazvipira sezvinonhuwira pamberi pazvo. Izvozvo ndizvo zvakaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “ ‘Uye wakatora vanakomana navanasikana vawakaberekera ini ukavabayira sezvokudya kuzvifananidzo. Ko, ufeve hwako hwakanga husina kuringana here? Wakauraya vana vangu ukavabayira kuzvifananidzo. Mumabasa ako ose anonyangadza hauna kurangarira mazuva ouduku hwako, pawakanga usina kupfeka usina chinhu, uchikava-kava uri muropa rako. “ ‘Nhamo! Une nhamo iwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pamusoro pokumwe kuipa kwako kwose, wakazvivakira nzvimbo yakakwirira ukazviitira shongwe refu pazvivara zvose zvomusha. Wakavaka shongwe dzako refu panotangira nzira dzose dzomumusha ndokuderedza runako rwako, uchipira muviri wako nokuwanza kupata kwako kunaani zvake aipfuura napauri. Wakaita ufeve navaIjipita, vawakavakidzana navo ivo vazere noruchiva, ukamutsa kutsamwa kwangu, nokuwanda kwokupata kwako. Saka ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndikurwise ndikatapudza nyika yako; ndikakuisa pasi pokukara kwavavengi vako, vanasikana vavaFiristia, ivo vakavhundutswa namafambiro ako. Wakaitazve ufeve navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; kunyange shure kwaizvozvo hauna kumbogutsikana nazvo. Ipapo wakawanza kupata kwako kuti kubatanidzire Bhabhironi, nyika yavashambadziri, asi kunyange naizvozvi hauna kugutsikana. “ ‘Unoshayiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha paunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari. Pawakavaka nzvimbo dzakakwirira pamavambo enzira dzose dzomumusha ndokuzviitira shongwe refu pazvivara zvose, wakanga usingaiti sechifeve, nokuti wakashora muripo. “ ‘Iwe chifeve chomukadzi! Unoshuva vatorwa kupinda murume wako! Chifeve chimwe nechimwe chinogamuchira muripo, asi iwe unopa zvipo kuvadiwa vako vose, nokuvafufura kuti vauye kwauri vachibva kwose kwose nokuda kwokupata kwako kusina unhu. Saka iwe wakasiyana navamwe pakufeva kwako; hakuna anokumhanyira nokuda kwokupata kwako. Iwe wakasiyana chose, nokuti ndiwe unopa muripo uye iwe hauna chaunopiwa. “ ‘Naizvozvo, iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha! Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti wakadurura pfuma yako nokufukura kusasimira kwako mukupata kwako navadiwa vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvako zvose zvinonyangadza, uye nokuda kwokuti wakavapa ropa ravana vako, Naizvozvo ndichaunganidza vadiwa vako vose, vawaifara navo, vaya vawaida navaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kubva kwose kwose kuti vakurwise uye ndichakufukura pamberi pavo uye vachaona kusasimira kwako kwose. Ndichakutonga nomutongo wavakadzi vanoita ufeve navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rokutsiva kwehasha dzangu negodo rokutsamwa kwangu. Ipapo ndichakuisa mumaoko avadiwa vako, uye vachakoromora nzvimbo dzako dzakakwirira vagoparadza shongwe dzako refu. Vachakubvisa nguo dzako vagotora ukomba hwako hwakanaka nokukusiya usina kupfeka wakashama. Vachauya nemhomho yavanhu kuti izokurwisa, vachakutema namabwe nokukubvamburanya neminondo yavo. Vachapisa dzimba dzako nokukuranga pamberi pavakadzi vazhinji. Ndichagumisa ufeve hwako, uye hauchazoripirizve vadiwa vako. Ipapo hasha dzangu pamusoro pako dzichaserera uye godo rokutsamwa kwangu richabva kwauri; ndichadzikama uye handingatsamwizve. “ ‘Nokuti hauna kurangarira mazuva ouduku hwako asi wakanditsamwisa nezvinhu zvose izvi, zvirokwazvo ndichauyisa pamusoro pako zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ko, hauna kuwedzera unzenza pane mamwe mabasa ako ose anonyangadza here? “ ‘Munhu wose achataura tsumo achareva tsumo iyi pamusoro pako: “Sezvakaita mai ndizvo zvakaita mwanasikana.” Iwe uri mwanasikana chaiye wamai vako, akashora murume wake navana vake; uye uri munun'una chaiye wavakoma vako, akashora varume vavo navana vavo. Mai vako vakanga vari muHiti uye baba vako vari muAmori. Mukoma wako akanga ari Samaria, akanga achigara kumusoro kwako navanasikana vake; uye munun'una wako, akanga achigara kurutivi rwezasi kwako navanasikana vake, akanga ari Sodhomu. Hauna kungofamba nenzira dzavo chete nokutevedzera zvinonyangadza zvavo, asi iwe munzira dzako dzose wakakurumidza kuva wakashata chose kupfuura ivo. Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, munun'una wako Sodhomu navanasikana vake havana kumboita zvawakaita iwe nezvakaitwa navanasikana vako. “ ‘Zvino ichi ndicho chaiva chivi chomunun'una wako Sodhomu: Iye navanasikana vake, vaizvikudza vaidyisa uye vaiva vasina hanya; havana kubatsira varombo navanoshayiwa. Vakanga vana manyawi uye vaiita zvinhu zvinonyangadza pamberi pangu. Naizvozvo ndakavarasa sezvamunoona. Samaria harina kuita hafu yezvivi zvawakaita iwe. Iwe wakaita zvinhu zvinonyangadza kupfuura zvavakaita ivo, uye wakaita kuti vanun'una vako vange vakarurama nokuda kwezvinhu izvi zvawakaita iwe. Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira munun'una wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti munun'una wako ave akarurama. “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndichadzosazve pfuma yeSodhomu navanasikana varo neyeSamaria navanasikana varo, uye pfuma yako pamwe chete navo, kuitira kuti ugotakura nyadzi dzako ugonyara pane zvose zvawakaita uchivanyaradza. Uye vanun'una vako, ivo Sodhomu navanasikana vake neSamaria navanasikana varo, vachadzokera pane zvavaiva kare. Haungazomborevi nezvomunun'una wako Sodhomu pazuva rokuzvikudza kwako, kuipa kwako kusati kwafukurwa. Kunyange zvino, uri kusekwa izvozvi navanasikana veEdhomu navavakidzani varo vose, uye vanasikana veFiristia, navose vakakupoteredza vanokushora. Uchazvitakurira zvibereko zvounzenza hwako namabasa ako anonyangadza, ndizvo zvinotaura Jehovha. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuitira zvakakufanira, nokuti wakazvidza mhiko dzangu nokuputsa sungano yangu. Asi hazvo ndicharangarira sungano yandakaita newe pamazuva ouduku hwako, ndigosimbisa sungano isingaperi newe. Ipapo ucharangarira nzira dzako ugonyora paunogamuchira vanun'una vako, vose vakuru kwauri uye navaduku kwauriwo. Ndichavapa kwauri savanasikana, asi kwete nokuda kwesungano yangu newe. Saka ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchaziva kuti ndini Jehovha. Ipapo, kana ndayanana newe pane zvose zvawakaita, ucharangarira ugonyara uye ukasazoshamisa muromo wako nokuda kwokuninipiswa kwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, misa chinofananidzira utaurire imba yaIsraeri mufananidzo. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Gondo guru rina mapapiro ane simba, rina manhenga marefu uye rizere namambava ana mavara mavara rakasvika kuRebhanoni. Rakabata musoro womusidhari, rikagura davi rokumusorosoro rikaenda naro kure kunyika yavashambadziri, ndokungorisima muguta ravatengesi. “ ‘Rakatora dzimwe mbeu dzenyika yenyu rikadzikavira muvhu rakaorera. Rakadzisima somuti womukonachando parutivi rwemvura zhinji, ikatungira ikava muzambiringa mupfupi unotandira. Matavi awo akadzoka akananga kwariri, asi midzi yawo yakaramba iri pasi pawo. Saka wakabva wava muzambiringa ukabudisa matavi uye ukatungira mashizha pamatavi. “ ‘Asi kwakanga kune rimwe gondo guru rakanga rina mapapiro ane simba guru uye rizere namambava. Zvino muzambiringa wakatandavadza midzi yawo yakananga kwariri kubva pamunda pawakanga wasimwa ukatambanudza matavi awo kwariri kuti uwane mvura. Wakanga wasimwa pavhu rakaorera pedyo nemvura zhinji kuti ubudise matavi, ubereke michero, ugova muzambiringa unoyevedza.’ “Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muti uyu uchakura here? Hauchazodzurwi ukadimurirwa muchero wawo kuti uome here? Mashizha awo matsva ose achangobuka achaoma. Hakuzombotsvakwi ruoko rune simba kana vanhu vazhinji kuti udzurwe nemidzi yawo. Kunyange dai ukasimurwazve, uchararama here? Haungazoomi chose here kana mhepo yokumabvazuva ikaurova, ukaoma mumunda mawakamera?’ ” Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Uti kuimba iyi inondimukira, ‘Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?’ Uti kwavari, ‘Mambo weBhabhironi akaenda kuJerusarema akandotorako mambo waro namakurukota aro, akadzokera navo kuBhabhironi. Ipapo akatora mumwe weimba youmambo ndokuita chibvumirano naye, akamuisa pasi pemhiko. Akatoravo varume vaitungamirira nyika iyo, kuitira kuti umambo huderere, husingazogoni kumukazve, huchingovapo chete nokuchengeta chibvumirano chake. Asi mambo akamupandukira nokutuma nhume dzake kuIjipiti kundotorako mabhiza nehondo huru. Achabudirira here? Ko, iye anoita zvinhu zvakadaro angapukunyuka here? Achaputsa chibvumirano akazopukunyuka here? “ ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iye achafira muBhabhironi, munyika yamambo akamugadza pachigaro choushe, ane mhiko yaakazvidza uye chibvumirano chaakaputsa. Faro nehondo yake ine simba neboka rake guru hazvizombobatsiri kwaari muhondo, kana vakavaka mirwi kana kuvaka nhare dzokuparadza vanhu vazhinji. Akashora mhiko nokuputsa kwaakaita sungano. Nokuti akanga aisa ruoko rwake pakupika uku ndokuzoita zvinhu zvose izvi, haangapukunyuki. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndichauyisa pamusoro pake mhiko yangu yaakazvidza nesungano yangu yaakaputsa. Ndichamuteya nomumbure wangu, uye achabatwa nomusungo wangu. Ndichamuuyisa kuBhabhironi ndigomutongerako nokuti akanga asina kutendeka kwandiri. Mauto ake anotiza achaurayiwa nomunondo, uye vakasara vavo vachaparadzirwa kunobva mhepo dzose. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndazvitaura. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndichatora bukira rinobva pamusoro chaipo pomusidhari ndigorisima; ndichavhuna davi nyoro kubva pabukira rapamusoro-soro ndigorisima pamusoro pegomo refu rakakwirira. Pamusoro-soro pamakomo eIsraeri ndipo pandicharisima; richibudisa matavi ndokubereka muchero ugova musidhari unoyevedza. Shiri dzemhando dzose dzicharukira matendere adzo pauri; dzichawana ugaro pamumvuri wamatavi awo. Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha ndinodzikisa miti yakareba nokuita kuti miti mipfupi irebe. Ndinoomesa muti munyoro uye nokukurisa muti wakaoma. “ ‘Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Munoreveiko vanhu imi zvamunotaura tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti, “ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, uye meno avana akaita ugugu’? “Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazotaurizve tsumo iyi muIsraeri. Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa. “Ngatiti pane munhu akarurama anoita nokururamisira uye nokururama. Haadyiri pashongwe dzamakomo kana kutarira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haasvibisi mukadzi womuvakidzani wake, kana kuvata nomukadzi ari kumwedzi. Haamanikidzi mumwe munhu, asi anodzorera rubatso rwaakatora pachikwereti. Haaiti zvougororo, asi anopa zvokudya zvake kune vane nzara. Haarevi chimbadzo paanokweretesa kana kutora mhindu yakakurisa. Anodzivisa ruoko rwake kuita zvakaipa, uye anotonga zvakarurama pakati pomunhu nomunhu. Anotevera mitemo yangu, uye anochengeta mirayiro akatendeka. Munhu uyo akarurama; zvirokwazvo achararama, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ngatiti ane mwanakomana anoita zvechisimba, anoteura ropa kana chimwe chezvinhu izvi (kunyange baba vake vasina kumboita chimwe chazvo): “Anodya pashongwe dzamakomo Anochinya mukadzi womuvakidzani wake. Anomanikidza varombo navanoshayiwa. Anoita zvougororo. Haadzoreri zvaakakwereta. Anotarisira kuzvifananidzo. Anoita zvinonyangadza. Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura. Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake. “Asi ngatimboti, mwanakomana uyu ano mwanakomana anoona zvivi zvose zvinoitwa nababa vake, uye kunyange achivaona, haaiti zvinhu zvakadai: “Haadyi pashongwe dzamakomo kana kutarisira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haachinyi mukadzi womuvakidzani wake. Haamanikidzi munhu upi zvake kana kureva rubatso pachikwereti. Haaiti ugororo, asi anopa zvokudya zvake kuna vaya vane nzara, uye anopfekedza vanoshaya zvipfeko. Anodzivisa ruoko rwake kutadza uye haarevi chimbadzo kana mhindu yakakura. Anochengeta mirayiro yangu nokutevera mitemo yangu. Haangafi nokuda kwechivi chababa vake; zvirokwazvo achararama. Asi baba vake vachafa nokuda kwechivi chavo, nokuti vaiita zvinhu nokumanikidza, vakapamba munun'una wavo uye vakaita zvakaipa pakati pavanhu vavo. “Kunyange zvakadaro munobvunza muchiti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Sezvo mwanakomana akaita nokururamisira uye nokururama uye kuti akanga akangwaririra kuchengeta mitemo yangu, iye achararama zvirokwazvo. Mweya unotadza ndiwo uchafa. Mwanakomana haangagovani nababa vake pamhosva yavo, uye baba havangagovani mhosva yavo nomwanakomana. Kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwowakaipa kuchava pamusoro powakaipa. “Asi kana akaipa akatendeuka kubva pazvivi zvaakaita uye akachengeta mitemo yangu uye akaita nokururamisira uye nokururama, zvirokwazvo achararama; haangafi zvirokwazvo. Kudarika kwake kwose kwaakaita hakungarangarirwi. Nokuda kwezvinhu zvakarurama zvaakaita, iye achararama. Ko, ndingafarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Asi handifari here pavanotendeuka kubva panzira dzavo kuti vararame? “Asi kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita chivi uye akaitawo zvinonyangadza zvinoitwa nomunhu akaipa, angararama here? Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi. Nokuda kwemhosva yokusatendeuka kwaanako uye nokuda kwezvivi zvaakaita, iye achafa zvirokwazvo. “Asi munoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Haiwa imi imba yaIsraeri: Nzira yangu haina kururama here? Ko, hadzisi nzira dzenyu imi dzisakarurama here? Kana munhu akarurama akatsauka akaita chivi, achafa nokuda kwechivi chake; nokuda kwechivi chaakaita achafa. Asi kana munhu akaipa akadzoka pane zvakaipa zvake zvaakaita akaita zvakarurama nokururamisira, achaponesa mweya wake. Nokuti anorangarira kudarika kwake kwose kwaakaita uye anotendeuka kubva panzira dzake, zvirokwazvo achararama; haangafi. Asi imba yaIsraeri inoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Nzira dzangu hadzina kururama here, imi imba yaIsraeri? Ko, hadzisi nzira dzenyu dzisakarurama here? “Naizvozvo, imi imba yaIsraeri, ndichakutongai, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai! Dzokai pakudarika kwenyu kwose; ipapo chivi hachingakuwisirii pasi. Rasai kudarika kwenyu kwamakaita, mufuke mwoyo mutsva nomweya mutsva. Ko, muchafirei, imi imba yaIsraeri? Nokuti handifariri rufu rwomunhu upi zvake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai murarame! “Chema urire pamusoro pamachinda eIsraeri uti: “ ‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii pakati peshumba! Yaivata pasi pakati peshumba duku uye yairera vana vayo. Yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba yakasimba. Yakadzidza kubvambura nyama, uye yaidya vanhu. Ndudzi dzakanzwa nezvayo, dzikaibata muhunza yadzo. Vakaenda nayo nezvikokovono kunyika yeIjipiti. “ ‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa, yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira, Yakatora mumwe wevana vayo ndokumuita shumba yakasimba. Yakafamba ichinyahwaira pakati peshumba, nokuti yakanga yava shumba ine simba zvino. Yakadzidza kubvambura chayabata uye yaidya vanhu. Yakakoromora nhare dzavo uye ikaparadza maguta avo. Nyika navose vaivamo vakavhundutswa nokuomba kwayo. Ipapo ndudzi dzakarwisana nayo, vaya vaibva kumatunhu akapoteredza. Vakaikandira mambure, iyo ndokubatwa muhunza yavo. Vakaipinza muchizarira nezvikokovono ndokundoiisa kuna mambo weBhabhironi. Vakaiisa mutorongo, saka kuomba kwayo hakuna kuzonzwikwazve pamakomo aIsraeri. “ ‘Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa mumunda wako womuzambiringa, wakasimwa pane mvura; wakanga une zvibereko uye uzere namatavi nokuda kwemvura zhinji. Matavi awo akanga akasimba, akanakira kuva tsvimbo yomutongi. Wakanga wakareba kwazvo pamusoro pamatavi makobvu akapfumvutira, waionekera kumusoro-soro nokuda kwourefu hwawo, uye nokuda kwamatavi awo mazhinji. Asi wakadzurwa nehasha ndokukandwa pasi. Mhepo yokumabvazuva yakauomesa, ukazunzwa michero yawo; matavi awo akasimba akaoma, uye moto ukaapisa. Zvino wakasimwa mugwenga, munyika yakaoma ine nyota. Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo guru ndokupisa michero yawo. Hapana davi rakasimba rakasara pauri rakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’ Uku ndiko kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.” Mugore rechinomwe, nomwedzi wechishanu pazuva regumi, vamwe vavakuru vavaIsraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, taura kuvakuru veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mauya kuzondibvunza ini here? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, handisi kuzobvuma kuti mundibvunze imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ “Ungavatonga here? Ungavatonga here, iwe mwanakomana womunhu? Zvino chivazivisa mabasa anonyangadza amadzibaba avo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randakasarudza Israeri, ndakapika ndakasimudzira ruoko kuzvizvarwa zveimba yaJakobho ndikazviratidza kwavari muIjipiti. Ndakasimudza ruoko rwangu, ndikati kwavari, “Ndini Jehovha Mwari wenyu.” Pazuva iro ndakapika kwavari kuti ndichavabudisa munyika yeIjipiti ndigovapinza munyika yandakavatsvakira, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose. Uye ndakati kwavari, “Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zviumbwa zvenyu zvinonyangadza zvamakaringira kwazviri, uye murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.” “ ‘Asi vakandimukira vakasada kunditeerera; havana kuda kurasa zvifananidzo zvavairingira kwazviri nameso avo, kana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo muIjipiti. Asi nokuda kwezita rangu, ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo vaigara pakati padzo uye avo vandakanga ndazviratidza pamberi pavo kuvaIsraeri nokuvabudisa muIjipiti. Naizvozvo ndakavabudisa muIjipiti ndikaenda navo kugwenga. Ndakavapa mitemo yangu ndikavazivisa mirayiro yangu, nokuti munhu achaiteerera achararama nayo. Uyezve ndakavapa maSabata angu sechiratidzo pakati pedu, kuti vagoziva kuti ini Jehovha ndini ndinovaita vatsvene. “ ‘Asi vanhu veIsraeri vakandimukira mugwenga. Havana kutevera mitemo yangu asi vakaramba mirayiro yangu, kunyange munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakazvidza chose maSabata angu. Saka ndakati kwavari ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigovaparadza mugwenga. Asi nokuda kwezita rangu ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzandakavabudisa kubva madziri pamberi padzo. Uyezve ndakavapikira mugwenga noruoko rwakasimudzwa ndichiti handizovaisi munyika yandakavapa, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose, nokuti vakaramba mirayiro yangu uye havana kutevera mitemo yangu, vakasvibisa maSabata angu. Nokuti mwoyo yavo yakanga yakazvipira kuzvifananidzo zvavo. Kunyange zvakadaro hazvo, ndakavatarisa ndikavanzwira tsitsi ndikasavaparadza kana kuvapedza chose mugwenga. Ndakati kuvana vavo mugwenga, “Regai kutevera mitemo yamadzibaba enyu kana kuchengeta mirayiro yavo kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvavo. Ndini Jehovha Mwari wenyu; teverai mitemo yangu uye muchenjerere kuchengeta mirayiro yangu. Chengetai maSabata angu ave matsvene, kuti ave chiratidzo pakati pedu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.” “ ‘Asi vana vakandimukira: havana kutevera mitemo yangu, vakanga vasina kuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakasvibisa maSabata angu. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo uye ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo mugwenga. Asi ndakadzora ruoko rwangu, uye nokuda kwezita rangu ndakaita zvairichengetedza kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi dzandakavabudisa pamberi padzo. Uyezve, ndakasimudza ruoko, ndikapika mugwenga kuti ndichavaparadzira pakati pendudzi nokuvadzingira kunyika dzose. Nokuti vakanga vasina kuteerera mirayiro yangu asi vakanga varamba mitemo yangu uye vakasvibisa maSabata angu, uye meso avo akachiva zvifananidzo zvamadzibaba avo. Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka uye nemirayiro yavakanga vasingagoni kurarama nayo, ndakaita kuti vasvibiswe nezvipo zvavo, zvibayiro zvamatangwe ose, kuti ndivazadze nokutya kukuru kuti vagoziva kuti ndini Jehovha.’ “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, taura kuvanhu veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muna izvozviwo madzibaba enyu akandimhura nokundisiya: Pandakavauyisa munyika yandakanga ndapika kuti ndichavapa uye vakaona chikomo chipi zvacho chakakwirira kana muti upi zvawo una mashizha, vakabayira zvibayiro zvavo ipapo, vakapa zvipiriso zvakanditsamwisa, vachipa zvinonhuwira zvavo uye vakadurura zvipiriso zvavo zvinonwiwa ipapo. Ipapo ndakati kwavari: Ko, nzvimbo iyi yakakwirira yamunoenda kwairi ndeyei?’ ” (Zita rayo inonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.) “Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muchazvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here nokuchiva zvifananidzo zvavo zvinonyangadza? Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze. “ ‘Imi munoti, “Tinoda kufanana nendudzi, savanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namatombo.” Asi zviri mundangariro dzenyu hazvimboitiki. Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakutonga nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa. Ndichakudzosai kubva kundudzi ndigokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri, nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa. Ndichakuyisai kurenje rendudzi ndigokutongai ikoko takatarisana chiso nechiso. Sokutonga kwandakaita madzibaba enyu mugwenga renyika yeIjipiti, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichakuverengai pamunopfuura napasi petsvimbo yangu, uye ndichakuisai muchisungo chesungano. Ndichakubvisirai vaya vanondipandukira navaya vanondimukira. Kunyange hazvo ndichizovabudisa munyika yavagere, asi havangapindi munyika yeIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Asi kana murimi, iyemi imba yaIsraeri, zvanzi naIshe Jehovha: Endai mundoshumira zvifananidzo zvenyu, mumwe nomumwe wenyu! Asi shure kwazvo zvirokwazvo muchanditeerera uye hamungazosvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu. Nokuti pagomo rangu dzvene, iro gomo refu raIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, imba yose yaIsraeri ichashumira ipapo, uye ndichavagamuchira ipapo. Ndipo pandichada zvipiriso zvenyu nezvipo zvenyu zvokuzvidira pamwe chete nezvibayiro zvenyu zvitsvene. Ndichakugamuchirai somunhuwi unonhuwira pandichakubudisai kubva kundudzi nokukuunganidzai muchibva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri uye ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene kwamuri pamberi pendudzi. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakuisai munyika yeIsraeri, nyika yandakapikira kupa madzibaba enyu noruoko rwakasimudzwa. Mucharangarira mafambiro enyu ikoko nezviito zvose zvamakazvisvibisa nazvo uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvakaipa zvose zvamakaita. Muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichakuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu kwete nokuda kwenzira dzenyu dzakaipa nezvakaora zvamakaita imi imba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi; uparidze pamusoro porutivi rwezasi uye uprofite pamusoro pesango renyika yezasi. Uti kusango rezasi, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokukupisa nomoto, uye uchaparadza miti yako yose, zvose minyoro neyakaoma. Kuririma kwomurazvo hakungadzimwi, uye zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo. Mumwe nomumwe achaona kuti ini Jehovha ndini ndaubatidza; haungadzimwi.’ ” Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, ‘Ko, haasi kungotaura mifananidzo here?’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuJerusarema uparidze pamusoro penzvimbo tsvene. Profita pamusoro penyika yeIsraeri, uti kwairi, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzokurwisa. Ndichavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo ndigouraya pakati penyu vose vakarurama navakaipa. Nokuti ndichaparadza vakarurama navakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara kundorwa navose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo; hauchazodzokerimozve.’ “Naizvozvo, gomera, mwanakomana womunhu! Gomera pamberi pavo nomwoyo wakapwanyika uye nokuchema neshungu. Zvino pavanokubvunza vachiti, ‘Unogomereiko?’ iwe uchati kwavari, ‘Nemhaka yamashoko ari kuuya. Mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka uye ruoko rumwe norumwe rucharemara, mweya mumwe nomumwe uchaziya uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura.’ Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naJehovha, “Munondo, munondo, wakarodzwa uye wakapukutwa, wakarodzerwa kuuraya, wakapukutirwa kuti upenye semheni! “ ‘Tichagofara here netsvimbo youshe yomwanakomana wangu Judha? Munondo unozvidza zvimiti zvose zvakadai. “ ‘Munondo wakagadzirirwa kuti upukutwe, kuti ubatwe noruoko; wakarodzwa nokupukutwa, wakagadzirirwa kuiswa muruoko rwomuurayi. Chema uye uungudze, mwanakomana womunhu, nokuti unorwa navanhu vangu; unorwa namachinda ose aIsraeri. Vakakandwa kumunondo, pamwe chete navanhu vangu. Naizvozvo uzvirove chipfuva. “ ‘Kuedzwa kuri kuuya zvirokwazvo. Ko, kana tsvimbo youshe yaJudha, iyo inozvidzwa nomunondo, ikasaenderera mberi chii chinoitika? ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ “Saka zvino, mwanakomana womunhu, profita uye urovanise maoko ako pamwe chete. Rega munondo ubaye kaviri, kunyange katatu. Ndiwo munondo wokuuraya, iwo munondo wokuuraya kukuru, uri kuuya kwavari kubva kumativi ose. Kuti mwoyo inyauke uye vanowa vawande, munondo ndakauyisa pamasuo avo ose kuti uuraye. Haiwa wakagadzirirwa kuti upenye semheni, wakabatwa kuti uuraye. Haiwa, iwe munondo, cheka kurudyi, ugochekawo kuruboshwe, kwose kunorerekera chisvo chako. Neniwo ndicharovanya maoko angu pamwe chete, uye hasha dzangu dzichaserera. Ini Jehovha ndazvitaura.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: “Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta. Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa. Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti atsvake shuramanenji: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa. Muruoko rwake rworudyi muchava nomujenya weJerusarema, umo maachamisa zvokugumura, kuti varayire nezvokuuraya, nokudanidzira zvehondo, nokuisa zvokugumura pamasuo, nokuvaka mirwi yokurwa nokuvaka nhare. Zvichange zvakaita seshuramanenji yenhema kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa. “Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Nemhaka yokuti imi vanhu makandiyeuchidza mhosva yenyu nokundimukira pachena, muchiratidza pachena zvivi zvenyu pazvinhu zvose zvamunoita, nokuda kwokuti makaita izvi, muchaitwa nhapwa. “ ‘Haiwa, iwe muchinda waIsraeri akaipa uye anozvidza, ane zuva rasvika, ane nguva yokurangwa kwake yasvika pakupedzisira, Zvanzi naIshe Jehovha: Bvisai ngowani youprista, bvisai korona. Hazvichazorambi zviri sezvazvaiva: vanozvidzwa vachasimudzirwa uye vanokudzwa vachaninipiswa. Dongo! Dongo! Ndichariita dongo! Harichazovandudzwizve kusvikira mwene waro auya; ndiye wandichapa.’ “Uye iwe, mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavaAmoni nokutuka kwavo: “ ‘Munondo, munondo, wavhomorwa kuti uuraye, wapukutwa kuti uparadze uye kuti upenye semheni! Kunyange vakaona zviratidzo zvenhema pamusoro pako, vakauka zvenhema pamusoro pako, zvichaiswa pamitsipa yavakashata vachazourayiwa, vane zuva ravo rasvika, ivo vane nguva yokurangwa yasvika pokupedzisira. Chidzosera munondo mumuhara wawo. Panzvimbo yawakasikwa uri, munyika yamadzitateguru ako, ndipo pandichakutongera. Ndichadurura hasha dzangu pamusoro pako, uye ndigofuridzira kutsamwa kwangu kunotyisa pamusoro pako; ndichakuisa kuvanhu vane utsinye, vanhu vanoziva kuparadza. Uchava huni dzomoto, ropa rako richateurwa munyika yako, hauchazorangarirwizve; nokuti ini Jehovha ndazvitaura.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ucharitonga here? Ucharitonga here guta iri rokudeura ropa? Ipapo urizivise mabasa aro ose anonyangadza uti, “Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa iwe guta rinozvitsvakira kuparadzwa nokuda kwokuteura ropa pakati paro, nokuzvisvibisa nokuita zvifananidzo, wava nemhosva nokuda kweropa rawakateura uye wakasvibiswa nokuda kwezvifananidzo zvawakaita. Wakasvitsa mazuva ako pamagumo, uye magumo amakore ako asvika. Naizvozvo ndichakuita chinhu chinoshorwa nendudzi nechinosekwa nenyika dzose. Vari pedyo newe navari kure vachakuseka, iwe guta rinonyadza, rizere nebope. “ ‘Tarira uone muchinda mumwe nomumwe waIsraeri ari pakati pako mateuriro aanoita ropa achishandisa simba rake. Vakazvidza baba namai vari mauri; vakamanikidza mutorwa uye nherera nechirikadzi dziri mukati mako havana kudzibata zvakanaka. Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene uye wakasvibisa maSabata angu. Mukati mako mune vanhu vane makuhwa, vanofarira pakuteura ropa; mukati mako muna vanhu vanodyira kushongwe dzokumakomo uye vanoita mabasa eunzenza. Mukati mako muna vanhu vasingakudzi nhoo dzamadzibaba avo, mukati mako muna vanhu vanochinya vakadzi panguva yavanenge vari kumwedzi, pavanenge vasina kuchena. Mukati mako mune mumwe munhu anoita zvinonyangadza nomukadzi womuvakidzani wako, mumwe anochinya mukadzi womwana wake zvinonyadzisa, uye mumwe anochinya hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake chaivo. Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “ ‘Zvirokwazvo ndicharovanisa maoko angu pamwe chete pamusoro pepfuma isakarurama yawakaita uye neropa rawakateura pakati pako. Ko, kushinga kwako kucharamba kuripo here kana kusimba kwamaoko ako pazuva randichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndichazvitaura. Ndichakuparadzira pakati penyika; uye ndichagumisa kusachena kwako. Muchaziva kuti ndini Jehovha, pamuchasvibiswa pamberi pendudzi.’ ” Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; vose indarira, netini, nesimbi nedare romutobvu rakasarira muvira romoto. Vakaita samarara esirivha. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka yokuti mose mava marara, ndichakuunganidzai muJerusarema. Somunhu anounganidza muvira romoto kuti zvinyungudiswe nokupiswa nezhenje, saizvozvo ndichakuunganidzai pakutsamwa kwangu nehasha dzangu ndigokuyisai mukati meguta ndigokunyautsai. Ndichakuunganidzai nokukufuridzai nokupisa kwehasha dzangu uye muchanyautswa mukati maro. Sokunyautswa kwesirivha iri muvira romoto, saizvozvo muchanyautswa mukati maro, uye muchaziva kuti ini Jehovha ndadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’ ” Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, uti kunyika, ‘Iwe uri nyika isina kuwana mvura kana guti pazuva rehasha dzangu.’ Pane rangano yamachinda vari pakati payo vanoomba seshumba iri kubvamburanya chayabata; vanodya vanhu, vanotora pfuma nezvinhu zvinokosha uye vanoita kuti chirikadzi dzivande mukati mayo. Vaprista vayo vanogutsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo. Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa nokuuraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama. Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka kwenhema. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura. Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira. “Ndakatsvaka munhu pakati pavo angavaka rusvingo nokumira pamberi pangu, pakakoromoka achimirira nyika kuti ndirege kuparadza, asi ndakashayiwa kana mumwe. Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pamisoro pavo ndigovaparadza nokutsamwa kwangu, ndichiburutsira pamisoro yavo zvavakaita zvose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe chete. Ivo vakava zvifeve muIjipiti, vakaita ufeve vachiri vadiki. Munyika imomo, mazamu oumhandara hwavo akabatwa-batwa uye zvipfuva zvavo zvakabatwa-batwa. Zita romukoma rakanga richinzi Ohora, uye munun'una wake ainzi Ohoribha. Ivo vakanga vari vangu uye vakabereka vanakomana navanasikana. Ohora ndiye Samaria uye Ohoribha ndiye Jerusarema. “Ohora akaita ufeve iye achiri wangu; akachiva zvikomba zvake, ivo vaAsiria, varwi vakanga vakapfeka nguo dzebhuruu, vabati navatungamiri vehondo, vakanga vari majaya akanaka chose, uye vari vatasvi vamabhiza. Iye akaita ufeve navapamusoro-soro vose veAsiria uye akazvisvibisa nezvifananidzo zvose zvavose vaaichiva. Haana kurega ufeve hwaakatangira kuIjipiti, paakavata navarume achiri muduku, vakabata-bata chipfuva choumhandara hwake uye vakadurura ruchiva rwavo pamusoro pake. “Naizvozvo ndakamuisa kuzvikomba zvake, ivo vaAsiria, vaakanga achichiva. Vakamubvisa nguo akasara asina, ashama, vakatora vanakomana vake navanasikana ndokubva vamuuraya nomunondo. Akabva ava shumo pakati pavakadzi uye akarangwa. “Munun'una wake Ohoribha akazviona izvozvo, asi nokuda kworuchiva rwake noufeve hwake, akanyanya ufeve kupfuura mukoma wake. Iye akachivawo vaAsiria, vatongi navatungamiri vehondo, varwi vakapfeka zvakakwana, vatasvi vaifamba namabhiza, namajaya akanaka ose. Ndakaona kuti naiyewo akazvisvibisa; vose vari vaviri vakafamba nenzira imwe cheteyo. “Asi akaenderera mberi noufeve hwake. Akaona mifananidzo yavarume pamadziro, mifananidzo yavaKaradhea mitsvuku, vana mabhandi akamonera muzviuno zvavo nengowani dzemicheka dzairembera pamisoro yavo; vakaita samachinda engoro dzeBhabhironi, vagari veKaradhea. Paakangovaona, akabva avachiva ndokutumira nhume kwavari muKaradhea. Ipapo vaBhabhironi vakauya kwaari, kunhoo yorudo, mukuchiva kwavo, vakamusvibisa. Shure kwokusvibiswa kwake navo, akavafuratira kwazvo. Paakaenderera mberi noufeve hwake pachena uye akaratidza kushama kwake, ndakamufuratira zvandisembura, sokufuratira kwandakanga ndaita mukoma wake. Asi akaramba achiwedzera unzenza hwake achirangarira mazuva ouduku hwake, paakanga ari chifeve muIjipiti. Akachiva zvikomba zvake ikoko, vane mitezo yakaita sembongoro uye zvinobuda mavari zvakaita sezvamabhiza. Saka wakapanga unzenza hwouduku hwako, pawaiva muIjipiti chipfuva chako chakabatwa-batwa uye mazamu ouduku hwako akabatwa-batwa. “Naizvozvo, Ohoribha, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakumutsira zvikomba zvako kuti zvikurwise, ivo vawakasemburwa navo ukavafuratira, ndichavauyisa kuzorwa newe vachibva kumativi ose, vaBhabhironi navaKaradhea vose, varume vePekodhi neveShowa neKowa, uye vaAsiria vose pamwe chete navo, majaya akanaka, vose vari vabati nevatungamiri vamauto, namachinda engoro navarume vezvigaro zvapamusoro, vose vakatasva mabhiza. Vachauya kuzorwa newe vaine zvombo, nengoro uye neboka ravanhu vazhinji, vachagadzirira kuti varwe newe kumativi ose nenhoo huru neduku uye nenguwani dzokurwa nadzo. Ndichakudzorera kwavari kuti urangwe, uye vachakuranga sezvakafanira mitemo yavo. Ndichamutsa godo rangu kuti ndirwe newe, uye ivo vachakurwisa nehasha. Vachagura mhino yako nenzeve dzako, uye vakasara venyu vachaurayiwa nomunondo. Vachakutorerai vanakomana venyu navanasikana venyu, uye vachasara venyu vachaparadzwa nomoto. Vachakubvisai nguo dzenyu nokukutorerai ukomba hwenyu hwakaisvonaka. Saka ndichagumisa unzenza hwenyu noufeve hwamakatangira muIjipiti. Hamuchazotariri zvinhu izvi muchizvishuva kana kuzorangarira Ijipiti zvakare. “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndava kuzokuisa mumaoko avanhu vaunovenga, kuna avo vawakafuratira wasemburwa navo. Ivo vachakuitira ruvengo vagokutorera zvinhu zvose zvawakashandira. Vachakusiya usina kupfeka wakashama, uye kunyadzisa kwoufeve hwako kuchaiswa pachena. Unzenza hwako nokupata kwako zvakaisa izvi pamusoro pako, nokuti iwe wakachiva ndudzi ndokuzvisvibisa nezvifananidzo zvadzo. Wakafamba nenzira yomunun'una wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako. “Zvanzi naIshe Jehovha: Uchanwa mukombe womukoma wako, mukombe mukuru wakadzika; uchakuvigira kusekwa nokumhurwa, nokuti une zvakawanda. Uchazadzwa nokudhakwa nokusuwa, mukombe wokuparadza nokuputsa, mukombe womukoma wako Samaria. Uchanwa zvokupedza kuti tsvai; uchauputsa ukava zvaenga uye uchacheka mazamu ako. Ndini ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo wakandikanganwa ukandirashira shure kwako, unofanira kuzvitakurira matambudziko ounzenza hwako noufeve hwako.” Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu unganditongerewo Ohora naOhoribha here? Ipapo uvazivise zvinonyangadza zvavanoita, nokuti vakaita ufeve uye ropa riri mumaoko avo. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo; vakasvika pakubayira vana vavo, vavakandiberekera ini, kuti zvive zvokudya zvavo. Vakaitawo izvi kwandiri: Panguva imwe cheteyo vakasvibisa nzvimbo yangu tsvene vakasvibisa maSabata angu. Pazuva ravakabayira vana vavo, kuzvifananidzo zvavo, vakapinda munzvimbo yangu tsvene vakaisvibisa. Ndizvo zvavakaita mumba mangu. “Vakatuma kunyange nenhume kundodana varume uye pavakasvika iwe wakazvishambidza nokuda kwavo, ukazodza meso ako ndokuzvishongedza noukomba. Wakagara panhoo yakaisvonaka ine tafura yakagadzikwa pamberi payo pawakanga wakaisa zvinonhuwira namafuta akanga ari angu. “Mheremhere yavanhu vakanga vasina hanya yakanga yakamukomberedza: VaSabhea vakaunzwa kubva kugwenga pamwe chete navarume vaibva pamhomho yavanhu vezhowezhowe, uye vakashongedza mabhenguro mumaoko omukadzi nomunun'una wake nekorona dzakaisvonaka pamisoro yavo. Ipapo ndakati pamusoro paiye akanga apera noufeve, ‘Zvino ngavamushandise sechifeve, nokuti ndizvo zvaari.’ Ipapo vakavata naye. Sokuvata kunoita varume nechifeve, saizvozvo vakavata navakadzi nzenza, ivo vana Ohora naOhoribha. Asi vanhu vakarurama vachavatonga nechirango chinopiwa vakadzi vanoita ufeve nokuteura ropa, nokuti ivo zvifeve uye ropa riri pamaoko avo. “Zvanzi naIshe Jehovha: Uyai neboka ravarwi vazovarwisa muvatyise nokuvapamba. Mhomho ichavatema namabwe nokuvabaya neminondo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo vagopisa dzimba dzavo. “Saka ndichagumisa unzenza panyika, kuti vakadzi vose vayambirwe vagorega kutevedzera. Ucharangwa nokuda kwounzenza hwako uye uchatakura mubayiro wezvivi zvokufeva kwako. Ipapo uchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.” Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori. Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Gadza hadyana; igadze ugodira mvura mairi. Uise mairi nhindi dzenyama, nhindi dzakanaka, gumbo nebandauko. Uizadze namapfupa akaisvonaka aya; utore gwai rakasanangurwa. Uise huni pasi payo kuitira mapfupa; uivirise ugobika mapfupa imomo. “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa, nehadyana ine ngura, mukati mayo, ine ngura isingabvi. Budisai nhindi imwe neimwe musingakandi mijenya nokuda kwadzo. “ ‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro: Rakaridururira paruware pasina chinhu; harina kuriteurira pavhu, paringafukidzwa neguruva. Kuti ndimutse hasha dzangu ndigotsiva ndakaisa ropa raro paruware pasina chinhu kuti rirege kufukidzwa. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa! Neniwo, ndichaunganidza huni dzakawanda. Saka tutira huni ugobatidza moto. Ubike nyama zvakanaka, uchisanganisa nezvinonhuwira; uye urege mapfupa atsve. Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe kusvikira yapisa ndarira yayo yan'aima kuti kusachena kwayo kunyauke uye tsvina yayo itsve yose. Zvakunda kushingaira kwangu kwose; tsvina yayo zhinji haina kubviswa, kunyange nomoto chaiwo. “ ‘Zvino kusachena kwako ndihwo unzenza hwako. Nokuti ndakaedza kukunatsa asi hauna kunatswa pakusachena kwako, hauchazonatswizve kusvikira hasha dzangu dzabva pamusoro pako. “ ‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handiganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usaungudza kana kuchema kana kubudisa misodzi. Gomera chinyararire; usachema akafa. Gara wakasunga ngowani yako zvakasimba uye neshangu dziri mumakumbo ako; urege kufumbira zasi kwouso hwako kana kudya zvokudya zvavanochema.” Saka mangwanani ndakataura kuvanhu, uye mukadzi wangu akafa madekwana. Fume mangwana, ndakaita zvandakanga ndarayirwa. Ipapo vanhu vakandibvunza vachiti, “Haungatiudzi kuti zvinhu izvi zvinorevei kwatiri here?” Saka ndakati kwavari, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, Uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokusvibisa nzvimbo yangu tsvene, iyo nhare yamunozvirumbidza nayo, iwo mufaro wamaziso enyu, nechinhu chamunoda. Vanakomana navanasikana vamakasiya vachaurayiwa nomunondo. Uye imi muchaita sezvandakaita. Hamungazofumbiri zasi kwezviso zvenyu kana kudya zvokudya zvavanochema. Mucharega ngowani dzenyu dziri mumisoro yenyu neshangu dziri mumakumbo enyu. Hamungaungudzi kana kuchema asi muchaonda nokuda kwezvivi zvenyu uye muchagomera pakati penyu. Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; muchaita sezvaakaita. Panoitika izvi, imi muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha. “Uye iwe, mwanakomana womunhu, pazuva randichavatorera nhare dzavo mufaro wavo nokukudzwa kwavo, mufaro wamaziso avo, chishuvo chemwoyo yavo, uye vanakomana navanasikana vavowo. Pazuva iro mutizi achauya kuzokuudza nhau. Panguva iyoyo muromo wako uchazaruka; uchataura naye uye hauchazonyararizve. Saka iwe uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ringira chiso chako pamusoro pavaAmoni uprofite pamusoro pavo. Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti imi makati, “Toko waro!” pamusoro penzvimbo yangu tsvene panguva yayakasvibiswa napamusoro penyika yeIsraeri payakaparadzwa, napamusoro pavanhu veJudha pavakaenda kuutapwa, naizvozvo ndichakuisai kuvanhu vokuMabvazuva kuti muve vavo. Vachadzika misasa yavo nokumisa matende avo pakati penyu; vachadya michero yenyu nokunwa mukaka wenyu. Ndichashandura Rabha rikava mafuro engamera uye Amoni kuti ive nzvimbo inozororera makwai. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti makauchira maoko enyu mukadzana-dzana netsoka dzenyu muchifara noruvengo rwose rwemwoyo yenyu rwamunovenga narwo nyika yeIsraeri, naizvozvo ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro penyu ndigokupai kuti mupambwe nendudzi. Ndichakubvisai chose kubva kundudzi nokukupedzai munyika dzose. Ndichakuparadzai; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nokuda kwokuti Moabhu neSeiri vakati, “Tarirai, imba yaJudha yafanana nedzimwe ndudzi,” naizvozvo ndichaisa pachena rutivi rwaMoabhu, kutangira pamavambo maguta okumuganhu anoti Bheti Jeshimoti, Bhaari Meoni neKiriataimi iko kukudzwa kwenyika iyoyo. Ndichapa Moabhu pamwe chete navaAmoni kuvanhu vokuMabvazuva kuti vave vavo, kuti vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pendudzi; uye ndicharanga Moabhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ” “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nokuda kwokuti Edhomu akatsiva pamusoro peimba yaJudha vakava nemhosva huru pakuita izvozvo, naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peEdhomu ndigouraya vanhu vose varo nezvipfuwo zvavo. Ndichariparadza uye kubva kuTemani kusvika kuDhedhani vachaurayiwa nomunondo. Ndichatsiva Edhomu noruoko rwavanhu vangu, uye vachaitira Edhomu zvakafanira kutsamwa kwangu nehasha dzangu; vachaziva kutsiva kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nokuda kwokuti vaFiristia vakazvitsivira vakatsiva noruvengo mumwoyo yavo, uye noruvengo rwamakore namakore vakatsvaka kuparadza Judha, naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokutambanudza ruoko rwangu pamusoro pavaFiristia, uye ndichauraya vaKereti ndigoparadza vaya vakasara pamhenderekedzo. Ndichatsiva nokutsiva kukuru pamusoro pavo uye ndichavaranga muhasha dzangu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatsiva pamusoro pavo.’ ” Mugore regumi nerimwe, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, nokuda kwokuti Tire yakati kuJerusarema, ‘Toko waro! Suo rokundudzi raputsika, uye makonhi aro azarukira kwandiri; zvino zvarava dongo ini ndichabudirira, naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kukurwisa, iwe Tire, uye ndichauyisa marudzi mazhinji kuti azorwa newe, segungwa rinorasa mafungu aro. Vachaparadza masvingo eTire nokuondomora shongwe dzaro; ndichatsvairira marara aro kure ndigoriita dombo risina chinhu. Richava nzvimbo yokuruka mimbure yehove kugungwa ikoko, nokuti ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Richava chinhu chinopambwa chendudzi, uye ugaro hwaro hwokumaruwa huchaparadzwa nomunondo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisira Tire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva nechokumusoro, ana mabhiza nengoro, navatasvi vamabhiza nehondo huru. Iye achaparadza ugaro hwamaruwa ako nomunondo, achakuvakira nhare dzokurwa newe, uye achavaka mirwi yokurwa pamasvingo ako agosimudza nhoo dzokukurwisa nadzo. Achatuma zvokugumura pamasvingo ako agokoromora shongwe dzako nezvombo zvake. Mabhiza ake achawanda kwazvo zvokuti muchafukidzwa neguruva rawo. Masvingo ako achadengenyeka nomubvumo wamabhiza ehondo, nengoro dzamavhiri mana nengoro dzamavhiri maviri paanenge achipinda pamasuo ako somunhu anopinda muguta rina masvingo akaondomoka. Mahwanda amabhiza ake achatsika-tsika nzira dzako dzomumisha dzose; achauraya vanhu vako nomunondo, uye mbiru dzako dzakasimba dzichawira pasi. Vachapamba pfuma yako uye vachaba zvaunotengesa: vachakoromorera pasi masvingo ako uye vachaputsa dzimba dzako dzakaisvonaka nokurasa matombo ako nematanda namarara ako mukati megungwa. Ndichagumisa mheremhere yenziyo dzako, nokurira kwembira dzako hakuchazonzwikwizve. Ndichakuita dombo risina chinhu, uye uchava nzvimbo yokuyanika mimbure yehove. Hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Zvanzi naIshe Jehovha kuTire: Ko, zviwi hazvichadengenyeki here pakunzwa mubvumo wokuwa kwako, vakakuvadzwa pavanenge vachigomera uye kuuraya kuchiitika mauri here? Ipapo machinda ose omuzviwi achaburuka pazvigaro zvawo zvoushe vagoisa nhumbi dzavo dzoushe parutivi uye vagobvisa vachidedera nguva dzose, vashamiswa newe. Ipapo vachaita mariro pamusoro pako vagoti kwauri: “ ‘Wakaparadzwa sei, iwe guta romukurumbira, wakanga uzere navanhu vomugungwa! Wakanga uri simba pamusoro pamakungwa, iwe navanhu vako; wakaisa kutya kwako pamusoro pavo vose vaigara ikoko. Zvino zviwi zvinodengenyeka pazuva rokuwa kwako; zviwi zviri mugungwa zvavhundutswa nokuwa kwako.’ “Zvanzi naIshe Jehovha: Pandichaita kuti guta rako rive dongo, samamwe maguta asingachagarwi uye pandinouyisa kudzika kwegungwa pamusoro pako uye mvura zhinji dzaro dzikakufukidza, ipapo ndichakuburutsa pamwe chete navaya vanoburukira kugomba, kuvanhu vakarekare. Ndichakusvitsa kumagumo anotyisa uye hauchazovepozve. Uchatsvakwa, asi haungawanikwizve, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ita mariro pamusoro peTire. Uti kuTire, riri pamusoro unopinda kugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, “Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Unoti, iwe Tire, “Ini ndakakwana parunako.” Simba rako rakanga riri pamakungwa makuru; vavaki vako vakaita kuti runako rwako rusvike pakukwana. Vakaita mapuranga ako ose emiti yemipaini inobva kuSeniri; vakatora musidhari waibva kuRebhanoni, kuti vakuitirei danda rokutsigira maseiri muchikepe. Vakaita matanda okukwasva nawo omuouki aibva kuBhashani; namapuranga omusipuresi aibva kuzviwi zveSaipurasi vakaita uriri hwako namapuranga, ane nyanga dzenzou mukati. Maseiri ako akanga ari omucheka wakaisvonaka wakarukwa waibva kuIjipiti, uye wakashandiswa somureza wako; zvifukidzo zvako zvamatende zvakanga zviri bhuruu nepepuru, zvaibva kuzviwi zveErisha. Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako; mhizha dzako, iwe Tire dzakanga dzirimo savafambisi vako vechikepe. Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo, savavaki vechikepe kuti vagadzirire vakwasvi vako. Zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo vakauya kuzotengeserana newe zvawakagadzira. “ ‘Vanhu vokuPezhia, neRidhia nePuti vakashanda savarwi muhondo yako. Vakarembedza nhoo dzavo nenguwani pamasvingo ako, vachikuvigira mbiri. Vanhu vokuArivhadhi nevokuHereki vakakomba masvingo ako kumativi ose; vanhu vokuGamadhi vakanga vari mushongwe dzako. Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako; vakaita kuti runako rwako rukwane. “ ‘Tashishi yakatengeserana newe nokuda kwepfuma yako huru yenhumbi; vakatsinhanisa sirivha, nesimbi, netini nedare zvokushambadzira zvako. “ ‘Girisi, Tubhari neMesheki dzakatengeserana newe; vakatsinhanisa nhapwa nezvinhu zvendarira zvezvigadzirwa zvako. “ ‘Varume veBheti Togarima vakatsinhanhisa mabhiza ebasa namabhiza ehondo namanyurusi kuti uzvishambadzire. “ ‘Varume vokuRodhe vakatengeserana newe, uye zviwi zvizhinji zvakanga zviri nzvimbo dzako dzokutengesera; vaikuripira nenyanga dzenzou nomuti womuvanga. “ ‘Aramu yakatengeserana newe nokuda kwezvibereko zvako zvizhinji; vakatsinhanisa matombo eturikoise nemicheka yepepuru, nezvakarukwa, nemicheka yakaisvonaka, nekorari namatombo amarubhi zvokutengesa zvako. “ ‘Judha neIsraeri vakatengeserana newe, vakatsinhanisa gorosi neMiniti nezvinotapira, nouchi, namafuta nebhasami nezvigadzirwa zvako. “ ‘Dhamasiko, rakatengeserana newe nokuda kwezvigadzirwa zvako zvizhinji nepfuma yenhumbi newaini yaibva kuHeribhoni newuru yaibva kuZahari. “ ‘VaDhani navaGiriki vaibva kuUzari vakatenga zvawaishambadzira; vakatsinhanisa simbi yakabikwa, nekasia, nekaramo zvigadzirwa zvako. “ ‘Dhedhani akatengeserana newe machira okugarira pamabhiza. “ ‘Arabhia namachinda ose eKedhari vakanga vachikutengera; vakatengeserana newe namakwayana, namakondohwe nembudzi. “ ‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe. “ ‘Harani, neKane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengesarana newe. Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ana mafundo akasimba. “ ‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda pakutakura zvigadzirwa zvako. Iwe wakazadzwa nezvitakurwa zvinorema, ipo pamwoyo wegungwa. Vakwasvi vako vanokutora voenda newe kumakungwa makuru. Asi mhepo yokumabvazuva ichakuputsa-putsa mumwoyo megungwa chaimo. Pfuma yako, nenhumbi dzokutengesa nezvakagadzirwa, varairi navafambisi vako vezvikepe navagadziri vazvo, vashambadziri vako nevarwi vako vose, uye vose varimo vachanyura pakati pomwoyo wegungwa, pazuva rokuparadzwa kwechikepe chako. Nyika dzokumahombekombe dzichadengenyeka nokudanidzira kwavafambisi vako vezvikepe. Vose vanobata matanda okukwasva vachasiya zvikepe zvavo; vachairi nevafambisi vako vezvikepe vachandomira kumahombekombe. Vachadanidzira namanzwi avo vagochema zvikuru pamusoro pako; vachakushira guruva pamisoro yavo vagoumburuka mumadota. Vachaveura misoro yavo nokuda kwako, uye vachapfeka nguo dzamasaga. Vachachema pamusoro pako nokurwadza kwomwoyo, uye nokuchema kukuru. Pavanoungudza nokuchema pamusoro pako, vachaita mariro pamusoro pako vachiti, “Ndianiko akashaya rokureva seTire, rakakomberedzwa negungwa?” Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa, wakagutisa ndudzi zhinji, nepfuma yako huru uye nenhumbi dzako, wakapfumisa madzimambo enyika. Zvino wakaputsanyiwa negungwa mumvura zhinji yakadzika; nhumbi dzako navanhu vako vose zvakanyura pamwe chete newe. Vose vanogara muzviwi vanoshamiswa pamusoro pako; madzimambo avo anodedera nokutya, uye zviso zvavo zvakanganiswa nokutya. Vashambadziri vari pakati pendudzi vanokuridzira muridzo; wasvika pamagumo anonyangadza uye hauchazovapozve.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako iwe wakati, “Ini ndiri mwari; ndinogara pachigaro choushe chamwari, pakati pomwoyo wamakungwa.” Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari, kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari. Ko, iwe wakachenjera kukunda Dhanieri here? Ko, hauna chakavanzika chausingazivi here? Wakazviwanira pfuma nouchenjeri hwako nokunzwisisa kwako, uye wakazviunganidzira goridhe nesirivha muzvivigiro zvepfuma yako. Wakawanza pfuma yako nouchenjeri hwako hwokutengesa, uye nokuda kwepfuma yako mwoyo wako wakazvikudza. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Nokuda kwokuti unofunga kuti wakangwara, sokungwara kwamwari, ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose, vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako, vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako. Vachakuburutsira kugomba, uye uchafa rufu runorwadza pakati pomwoyo wamakungwa. Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,” pamberi pavanokuuraya? Uchava munhu chete, kwete mwari, mumaoko aivo vanokuuraya. Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa pamaoko avatorwa. Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Iwe wakanga uri muenzaniso wokukwana, uzere nouchenjeri wakakwana parunako. Wakanga uri muEdheni, bindu raMwari; wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti: rubhi, tapazi neemeraridhi, krisorite, onikisi, jasipa, safuri, turikoise nebheriri. Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe; zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako. Iwe wakazodzwa sekerubhi rinorinda, nokuda kwaizvozvo ndakakugadza. Wakanga uri pamusoro pegomo dzvene raMwari; wakanga uchifamba pakati pamabwe omoto. Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako, kubva pazuva rawakasikwa kusvikira kuipa pakwazowanikwa mauri. Nokuwanda kwokushambadzira kwako wakabva wazara nechisimba, ndokubva watadza. Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari, uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda, kuti ubve pakati pamabwe omoto. Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kworunako rwako, uye wakaodza uchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako. Saka ndakakukandira kunyika; ndakakuita chinhu chinosekwa pamberi pamadzimambo. Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira, wakazvidza nzvimbo dzako tsvene. Saka ndakabudisa moto mukati mako, ukakuparadza, uye ndakakupisa kusvikira wava madota panyika, pamberi pavose vaikuona. Ndudzi dzose dzinokuziva dzinoshamiswa newe; wasvika pamagumo akaipisisa uye hauchazovapozve.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peSidhoni; uprofite pamusoro paro, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “Ndine mhaka newe, iwe Sidhoni, uye ndichazviwanira kukudzwa mukati mako. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichariranga nokuzviratidza kuti ndiri mutsvene mariri. Ndichatuma denda pamusoro paro uye ndichaita kuti ropa riyerere munzira dzaro. Vakaurayiwa vachawira mariri, nomunondo uchirirwisa kumativi ose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho. Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ” Mugore regumi, mumwedzi wegumi pazuva regumi namaviri, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti. Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti, iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako. Iwe unoti, “Nairi ndorwangu; ndakazvigadzirira pachangu.” Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako, uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako. Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako, nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako. Ndichakusiya mugwenga, iwe nehove dzose dzomuhova dzako. Uchawira pasi pabani pachena zvapo, uye haungaunganidzwi kana kunongwa. Ndichakupa sechokudya kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga. Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri. Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka uye ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo. Ijipiti richava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Nemhaka yokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,” naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe uye ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia. Hakuna rutsoka kana rwemhuka ruchapfuura nomo; hakuna achagaramo kwamakore makumi mana. Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta ayo achava matongo kwamakore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo. Uye ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi nokuvadzingira munyika dzose. “Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira. Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko. Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi. Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’ ” Mugore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga pazuva rokutanga, shoko rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake. Ndakamupa Ijipiti somubayiro wokushingaira kwake nokuti iye nehondo yake vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Pazuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichazarura muromo wako pakati pavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “ ‘Ungudza uti, “Haiwa, zuva iro!” Nokuti zuva rava pedyo, zuva raJehovha rava pedyo, zuva ramakore, nguva yokuparadzwa kwendudzi. Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia. Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti, pfuma yake ichatakurwa ichienda kure uye nheyo dzayo dzichakoromorwa. Etiopia nePuti, Ridhia neArabhia yose, Ribhiya navanhu venyika yesungano vachaurayiwa nomunondo pamwe chete neIjipiti. “ ‘Zvanzi naJehovha, “ ‘Vanotsigira Ijipiti vachawa uye kuzvikudza kwesimba rayo kuchapera. Kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, vachaurayiwa nomunondo pakati pake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “ ‘Vachaparadzwa pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta avo achava pakati pamaguta akaitwa matongo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatungidza moto kuIjipiti uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa. “ ‘Pazuva iro, nhume dzichabva kwandiri dziri muzvikepe kuti dzindotyisidzira Etiopia kuti abve pakuvarairwa kwake. Ucharwadziwa pazuva rokuparadzwa kweIjipiti, nokuti zvirokwazvo rinouya. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi. Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi, achauyisa kuti azoparadza nyika. Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti, uye vachazadza nyika navakaurayiwa. Ndichaomesa hova dzeNairi, uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa; namaoko avatorwa ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi. Ini Jehovha ndazvitaura. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndichaparadza zvifananidzo nokugumisa mifananidzo yeMemufisi, muIjipiti hamuchazovizve nomuchinda, uye ndichaparadzira kutya munyika yose. Ndichaita kuti Patirosi ive dongo, ndichapisa Zoani, uye ndicharanga Tebhesi. Ndichadururira hasha dzangu pamusoro pePerusiami, iyo nhare yeIjipiti, uye ndichaparadza vanhu vose veTebhesi. Ndichapisa Ijipiti; Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa. Tebhesi richakukurwa nedutu; Memufisi ichagara iri munhamo. Majaya okuHerioporisi neokuBhubhastisi achaurayiwa nomunondo, uye maguta achatapwa. Rima ndiro richava masikati paTapanhesi, pandichavhuna joko reIjipiti; kuzvikudza kwesimba raro kuchapera ipapo. Richafukidzwa namakore, uye misha yaro ichaenda muutapwa. Saka ndicharanga Ijipiti, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Haruna kusungwa kuti rupore kana kuiswa chiseketo kuti ruve nesimba rokubata munondo. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka naFaro mambo weIjipiti. Ndichavhuna maoko ake ose ari maviri, ruoko rwakanaka norwakavhunika, ndigoita kuti munondo uwe kubva muruoko rwake. Ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ndichasimbisa ruoko rwamambo weBhabhironi uye ndichaisa munondo wangu muruoko rwake, asi ndichavhuna maoko aFaro, uye achagomera pamberi pake somunhu akuvadzwa zvokuti achafa. Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti. Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.” Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose: “ ‘Ndianiko angaenzaniswa newe paushe? Rangarira Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni, wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo; wakareba kwazvo, munhengenya wawo uri pamusoro pamashizha akapfumvutira. Mvura zhinji yakaukwira, zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe, hova dzazvo dzakayerera dzichipoteredza hunde yacho, uye dzinotumira mironga yadzo kumiti yose yesango. Saka wakareba kwazvo kupfuura miti yose yesango, mativi awo akawanda uye matavi awo akareba, achitandavara nokuda kwemvura zhinji. Shiri dzose dzedenga dzakavakira matendere adzo pamatavi awo, mhuka dzose dzesango dzakaberekera pasi pamatavi awo; ndudzi dzose huru dzakagara pamumvuri wawo. Wakanga uchiyevedza parunako, namatavi awo akatandavara, nokuti midzi yawo yaidzika pasi kune mvura zhinji. Misidhari yomubindu raMwari yakanga isingagoni kuukunda, uye miti yomupaini yakanga isingaenzani namatavi awo, uye miti yemipaini hayaienzaniswa namatavi awo, hakuna muti mubindu raMwari waienzana nawo pakunaka. Ndakaita kuti uve unoyevedza una matavi akawanda, zvikagodora miti yose yomuEdheni mubindu raMwari. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo, ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi, uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya. Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo. Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburusirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava. Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yemuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika dzapasi. Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo. “ ‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo. “ ‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Mugore regumi namaviri, nomwedzi wegumi namaviri pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, itira Faro mambo weIjipiti mariro uti kwaari: “ ‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi; wakaita seshato mukati mamakungwa uchibvongodzabvongodza mukati mehova dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako uye ukasvibisa hova. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Neboka ravanhu vazhinji ndichakanda mambure angu pamusoro pako, uye vachakukweva mumumbure wangu. Ndichakukanda panyika ndichakurasira pamhene. Ndichamharisa shiri dzose dzedenga pamusoro pako, uye zvikara zvose zvomunyika zvichagutswa newe. Ndichayanika nyama yako pamakomo, ndigozadza mipata nezvitunha zvako. Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera kusvikira kumakomo, uye nzizi dzichazadzwa nenyama yako. Pandichakudzima, ndichafukidza matenga uye ndichasvibisa nyeredzi; ndichafukidza zuva mugore, uye mwedzi haungabudisi chiedza chawo. Zviedza zvose zvinopenya zvedenga ndichazvidzima pamusoro pako; ndichauyisa rima pamusoro penyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichatambudza mwoyo yavanhu vazhinji, pandichauyisa kuparadzwa kwako pakati pendudzi, pakati penyika dzausina kumboziva. Ndichaita kuti vanhu vazhinji vashamisike pamusoro pako, uye madzimambo avo achadedera nokutya nokuda kwako, pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo. Pazuva rokuwa kwako mumwe nomumwe wavo achadedera nguva dzose, nokuda kwoupenyu hwake. “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Munondo wamambo weBhabhironi uchauya kuzokurwisa. Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vave neminondo yavane simba, vanhu vakaipisisa pandudzi dzose. Vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, uye vanhu vayo vazhinji vachakundwa. Ndichaparadza mombe dzayo dzose dziri panhivi dzemvura zhinji, hakuchazovi norutsoka rwomunhu ruchaibvongodza, kana namahwanda emombe achaibvongodza. Ipapo ndichaita kuti mvura yavo igadzikane, uye ndichaita kuti hova dzayo dziyerere samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pandichaita Ijipiti kuti ive dongo uye pandichabvisa zvose zviri mairi, pandichauraya vose vanogaramo, ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ “Aya ndiwo mariro avachaiimbira. Vanasikana vendudzi vachaimba; nokuda kweIjipiti navanhu vayo vose vazhinji vachaimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Mugore regumi namaviri, pazuva regumi namashanu romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ungudza nokuda kwavanhu vazhinji veIjipiti uye uvawisire pasi zvose iyo nyika navanasikana vendudzi dzine simba, pamwe chete navaya vanoburukira kugomba. Uti kwavari, ‘Ko, imi munonyanya kudikanwa kupfuura vamwe here? Burukai mundoradzikwa pakati pavasina kudzingiswa.’ Vachava pakati pavakaurayiwa nomunondo. Munondo wavhomorwa; ngaakweverwe kunze pamwe chete navanhu vake vazhinji. Vatungamiri vane simba vari mukati meguva, vachati pamusoro peIjipiti navabatsiri vayo, ‘Vaburukira kuno uye vavete pamwe chete navasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.’ “Asiria iriko nehondo yayo yose; yakakomberedzwa namakuva avakaurayiwa vayo vose, vose vakaurayiwa nomunondo.’ Makuva ayo ari pasi pasi mugomba uye hondo yayo ivete yakakomberedza rinda rayo. Vose vakanga vaparadzira kutya munyika yavapenyu vakaurayiwa vakafa nomunondo. “Eramu iriko, pamwe chete navanhu vayo vazhinji vose vakapoteredza rinda rayo. Vose vakaurayiwa, vakafa nomunondo. Vose vakanga vatyisidzira vamwe munyika yavapenyu vakaburukira panyika pasi vasina kudzingiswa. Vakatakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba. Yakawaridzirwa mubhedha pakati pavakaurayiwa, nevanhu vayo vazhinji vakakomberedza rinda rayo. Vose havana kudzingiswa, vaiurayiwa nomunondo. Nemhaka yokuti kutyisidzira kwavo kwakanga kwapararira munyika yavapenyu, vanotakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba, vakaradzikwa pakati pavakaurayiwa. “Mesheki neTubhari dziripo, navanhu vadzo vazhinji vakakomba marinda adzo. Vose havana kudzingiswa, vaurayiwa nomunondo nokuti vakatyisidzira vanhu munyika yavapenyu. Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu. “Newewo, iwe Faro, uchavhunwa uye uchavata pakati pavasina kudzingiswa. “Edhomu iriko namadzimambo ayo namachinda ayo ose; kunyange ane simba, vakaradzikwa navaya vakaurayiwa nomunondo. Vakavata navasina kudzingiswa, navaya vanoburukira kugomba. “Machinda ose okumusoro navaSidhoni variko; vakadzika navakaurayiwa mukunyadziswa kunyange simba ravo raityisa. Vakavata vasina kudzingiswa pamwe chete navakaurayiwa nomunondo vakatakura kunyadziswa kwavo pamwe chete navaya vanoburukira kugomba. “Faro, iye nehondo yake, achavaona agonyaradzwa nokuda kwavanhu vake vazhinji vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Kunyange ndakamurega achityisidzira vamwe munyika yavapenyu, Faro navanhu vake vazhinji vacharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, taura kuvanhu venyika yako uti kwavari: kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika, uye vanhu venyika iyo vakasarudza mumwe wavo vakamuita nharirire yavo, uye iye akaona munondo uchiuya kuzorwa nenyika uye akaridza hwamanda kuti anyevere vanhu, ipapo ani naani kana akanzwa hwamanda asi akasava nehanya nenyevero uye munondo ukasvika ukamuuraya, ropa rake richava pamusoro wake. Sezvo akanzwa kurira kwehwamanda asi akashaya hanya, ropa rake richava pamusoro wake. Dai akateerera kunyeverwa, angadai akaponesa upenyu hwake. Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’ “Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka inzwa shoko randinotaura ugovaudza yambiro inobva kwandiri. Kana ndikati kuno wakaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo,’ uye iwe ukasamutaurira kuti umunyevere panzira dzake, munhu uyo akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza kwauri. Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako. “Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri, ‘Izvi ndizvo zvamunoreva muchiti, “Kutadza kwedu nezvivi zvedu zvinotiremera, uye tapera nokuda kwazvo. Zvino tingararama seiko?”’ Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’ “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, uti kuvanhu venyika yako, ‘Kururama kwowakarurama hakugoni kumuponesa kana asingateereri, uye kuipa kwomunhu akaipa hakungamuiti kuti awe kana akatendeuka kubva pakuri. Munhu akarurama, kana akatadza, haangatenderwi kuti ararame nokuda kwokururama kwaaiva nako kare.’ Kana ndikaudza munhu akarurama kuti achafa zvirokwazvo, asi zvino iye ovimba nokururama kwake, ndokuita zvakaipa, hakuna zvinhu zvakarurama zvaakaita kare zvicharangarirwa; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita. Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama, kana akadzorera zvaakatora norubatso sechikwereti, akadzosa zvaakaba, akatevera mitemo youpenyu, akasaita zvakaipa, zvirokwazvo achararama; haangafi. Hakuna zvivi zvaakaita zvicharangarirwa pamusoro pake. Akaita zvakanaka uye zvakarurama; achararama zvirokwazvo. “Kunyange zvakadaro, vanhu venyika yako vanoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi nzira yavo ndiyo isina kururama. Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo. Uye munhu akaipa akatendeuka pazvakaipa zvake akaita zvakanaka uye zvakarurama, achararama nazvo. Kunyange zvakadaro, imi imba yaIsraeri, munoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi ndichatonga mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake.” Mugore regumi namaviri rokutapwa kwedu, nomwedzi wegumi pazuva reshanu, munhu akanga apunyuka paJerusarema akasvika kwandiri achiti, “Guta rawa!” Zvino madekwana munhu uya asati asvika, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akashamisa muromo wangu munhu uya asati asvika kwandiri mangwanani. Saka muromo wangu wakazarurwa ndikasazonyararazve. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, vanhu vanogara mumatongo ayo munyika yaIsraeri vari kuti, “Abhurahama akange achingori munhu mumwe chete kunyange zvakadaro akatora nyika. Asi isu tiri vazhinji; zvirokwazvo nyika yakapiwa kwatiri senhaka yedu.’ Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo muchidya nyama neropa rayo uye muchitarira kuzvifananidzo zvenyu uye muchiteura ropa, zvino mungatora nyika here? Imi munovimba nomunondo wenyu, muchiita zvinhu zvinonyangadza, uye mumwe nomumwe wenyu achisvibisa mukadzi wehama yake. Zvino mungatora nyika here?’ “Taura kwavari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, vaya vakasara mumatongo vachaurayiwa nomunondo, vaya vari kumamisha, ndichavapa kuzvikara zvesango kuti zvivadye, uye vaya vari munhare nomumapako vachafa nehosha. Nyika ndichaiita dongo rakaparadzwa, uye simba rokuzvikudza kwayo kuchasvika kumagumo, uye makomo aIsraeri achaparadzwa zvokuti hakuna achaadarika. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichashandura nyika ikava dongo rakaparadzwa nokuda kwezvinonyangadza zvavakaita.’ “Asi kana uriwe, mwanakomana womunhu, vanhu venyika yako vanotaurirana pamwe chete pamusoro pako pamasvingo uye napamikova yedzimba, vachiti kuno mumwe nomumwe wavo. ‘Uyai munzwe shoko rabva kuna Jehovha.’ Vanhu vangu vanouya kwauri, sezvavanosiita, ndokugara pamberi pako kuti vateerere kumashoko ako, asi havaaiti. Vanondirumbidza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inokarira pfuma yokusarurama. Zvirokwazvo, iwe wakaita somunhu anoimba rwiyo rworudo kwavari nezwi rakaisvonaka nokuridza chiridzwa zvakanaka, nokuti vanonzwa mashoko ako asi havaaiti. “Panoitika izvi zvose, uye zvichaitika zvirokwazvo, ipapo vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavafudzi vaIsraeri; profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vafudzi vaIsraeri vanongova nehanya yokuzvifudza pachavo! Ko, vafudzi havafaniri kufudza makwai here? Munodya ruomba, munozvifukidza namakushe muchiuraya makwai akakora, asi hamuna hanya namakwai. Hamuna kusimbisa asina simba kana kurapa anorwara kana kusunga akakuvara. Hamuna kutsvaka akarasika kana kudzosa akadzingwa. Makaabata nehasha noutsinye. Saka akapararira nokuti kwakanga kusina mufudzi, uye paakapararira akava zvokudya zvezvikara zvesango. Makwai angu akadzungaira pamusoro pamakomo napazvikomo zvose. Akaparadzirwa panyika yose, uye hakuna akaaronda kana kuatsvaka. “ ‘Naizvozvo, imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuda kwokuti makwai angu ashayiwa mufudzi, nokudaro akapambwa akava zvokudya zvemhuka dzose dzesango, uye nemhaka yokuti vafudzi vangu havana kuatsvaka asi kuti vakazvifudza vamene pachinzvimbo chamakwai angu, naizvozvo imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha: Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka navafudzi uye vachazvidavirira pamusoro pamakwai angu. Ndichavabvisa pakufudza makwai angu kuitira kuti vafudzi varege kuzozvifudza pachavo. Ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, uye haachazovi chokudya chavo. “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ini pachangu ndichazvitsvakira makwai angu nokuatarira. Somufudzi anotarira makwai ake akapararira paanenge anawo, saizvozvo neni ndichatarira makwai angu. Ndichaarwira kubva panzvimbo dzose dzaanga akapararira pazuva ramakore nerima. Ndichaabudisa kubva kundudzi ndigoaunganidza kubva kunyika dzose, uye ndigoauyisa munyika yawo. Ndichaafudzira pamakomo aIsraeri, muhova, nomunzvimbo dzokugara dzose dzenyika. Ndichaafudzira mumafuro akanaka, uye pamusoro pamakomo aIsraeri ndipo paachafura. Acharara pasi pamafuro akanaka ikoko, uye achafura pabumhudza rakanaka ikoko kumakomo eIsraeri. Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichatsvaka akarasika nokudzosa akadzingwa. Ndichasunga akakuvara nokusimbisa asina simba, asi akakora naane simba ndichaaparadza. “ ‘Asi kana murimi, boka rangu, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatonga pakati pegwai nerimwe gwai, uye pakati pamakondohwe nembudzi. Ko, hazvina kuringana kwamuri here kuti mudye pamafuro akanaka? Zvakafanira here kuti mutsike netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Ko, hazvina kuringana here kuti munwe mvura yakachena? Ko, zvakafanira here kuti musvibise mvura yakasara namakumbo enyu? Ko, makwai angu angafanirwa nokudya kana kunwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu here? “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari: Tarira, ini ndimene ndichatonga pakati paakakora namakwai akaonda. Nokuda kwokuti munosunda norutivi nepfudzi, muchitunga makwai asina simba nenyanga dzenyu kusvikira maadzingira kure, ini ndicharwira makwai angu, uye haangazopambwizve. Ndichatonga pakati pehwai neimwe hwai. Ndichaisa pamusoro pawo mufudzi mumwe chete, muranda wangu Dhavhidhi uye achaafudza; iye achaafudza agova mufudzi wawo. Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, uye muranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pawo. Ini Jehovha ndazvitaura. “ ‘Ndichaita sungano yorugare navo uye ndichadzinga zvikara panyika kuti vagogara mugwenga vagovata zvakanaka musango. Ndichaaropafadza nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu. Ndichanayisa mvura nenguva yayo; pachava nemibvumbi yamaropafadzo. Miti yesango ichabereka michero yayo uye ivhu richabereka zvibereko zvaro; vanhu vachagara zvakanaka panyika yavo. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavhuna mazariro amajoko avo ndigovanunura kubva mumaoko aavo vanovaita nhapwa. Havachazopambwizve nendudzi, uye zvikara zvesango hazvingavadyizve. Vachagara zvakanaka, uye hakuna angavatyisa. Ndichavapa nyika inozivikanwa nokuda kwezvibereko zvayo, uye havangazovi nedambudziko renzara munyika kana kuva chinhu chinosekwa nendudzi. Ipapo vachaziva kuti ini, Jehovha Mwari wavo, ndinavo uye kuti ivo, imba yaIsraeri, ndivo vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Imi makwai angu, makwai amafuro angu, muri vanhu, uye ini ndiri Mwari wenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peGomo reSeiri; uprofite pamusoro paro, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe iwe Gomo reSeiri, uye ndichatambanudzira ruoko rwangu kuzorwa newe ndigokuita dongo raparadzwa. Ndichashandura maguta ako akava matongo uye iwe uchaparadzwa. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Nemhaka yokuti wakafundira ruvengo rwako rwakare ukaisa vaIsraeri kumunondo panguva yenjodzi yavo, panguva iyo kurangwa kwavo kwakanga kwasvika pamusoro soro, naizvozvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakuisa kukuteura ropa uye richakuteverera. Sezvo usina kuvenga kuteura ropa, kuteura ropa kuchakuteverera. Ndichaita kuti Gomo reSeiri rive dongo uye ndichaparadza vose vanouya nokudzoka napo. Ndichazadza makomo ako navakaurayiwa; vaya vakaurayiwa nomunondo vachawira pazvikomo nomumipata yenyu uye nomunzizi dzenyu dzose. Ndichakuparadza nokusingaperi, maguta ako haachazogarwi. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Nemhaka yokuti iwe wakati, “Ndudzi mbiri idzi nenyika idzi dzichava dzedu uye tichadzitora,” kunyange dai ini Jehovha ndaivapo, naizvozvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakuitira zvakafanira kutsamwa negodo rawakaratidza mukuvavenga kwako uye ndichaita kuti vandizive pakati pavo pandichakutonga. Ipapo uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa zvose zvinonyadza zvawakataura zvinorwisa makomo eIsraeri. Iwe wakati, “Akaparadzwa uye akapiwa kwatiri kuti tiadye.” Wakazvirumbidza pamusoro pangu uye wakataura zvakaipa pamusoro pangu usingazvidzori, uye ini ndakazvinzwa. Zvanzi naIshe Jehovha: Panguva inofara nyika yose, ini ndichakuita dongo. Nokuti iwe wakafara panguva yakaparadzwa nhaka yeimba yaIsraeri, ndizvo zvandichakuitirawo iwe. Uchava dongo, iwe Gomo reSeiri, iwe neEdhomu yose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ” “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pamakomo eIsraeri uti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Muvengi akati kwauri, “Toko waro! Nzvimbo dzakakwirira dzekare dzava dzedu.”’ Naizvozvo profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti vakakuparadzai nokukudzingai kumativi ose kusvikira mava vanhu vendudzi dzose uye nechinhu chinoshorwa navanhu nechinorehwa, naizvozvo, imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata, kumatongo akaparadzwa okumaguta akasiyiwa akanga apambwa nokusekwa nendudzi dzose dzakakupoteredzai, zvanzi naIshe Jehovha: Mumoto wokushingaira kwangu, ndakataura pamusoro pendudzi dzakasara, uye pamusoro peEdhomu yose, nokuti nomufaro uye negodo remwoyo yavo vakaita nyika yangu nhaka yavo kuitira kuti vapambe mafuro avo.’ Naizvozvo profita pamusoro penyika yeIsraeri uti kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata: ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndinotaura negodo nehasha dzangu nokuti makashorwa nendudzi. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndinopika noruoko rwakasimudzwa kuti ndudzi dzakakupoteredza naidzo dzichashorwawo. “ ‘Asi imi, iyemi makomo eIsraeri, muchabudisa matavi nemichero yavanhu vangu ivo Israeri, nokuti vachakurumidza kudzokera kumusha. Ndine hanya newe uye ndichakutarira neziso rine tsitsi; ucharimwa ugodyarwa, uye ndichavanza vanhu pamusoro pako, uye matongo achavakwazve. Ndichawedzera kuwanda kwavanhu nezvipfuwo pamusoro pako uye vachava nezvibereko vagowanda kwazvo. Ndichagarisa vanhu mauri sezvazvakanga zvakaita kare uye ndichaita kuti mubudirire kupfuura pakutanga. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. Ndichaita kuti vanhu, ivo vanhu vangu Israeri, vafambe pamusoro pako. Vachakutora uye muchava nhaka yavo; hamuchazovatorerizve vana vavo. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti vanhu vanoti kwauri, “Iwe unodya vanhu uye unotorera rudzi rwako vana,” naizvozvo hauchazodyi vanhu kana kushayisa rudzi rwako vana, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Handichazoiti kuti unzwe kutuka kwendudzi, uye hauchazoshorwi navanhu kana kuita kuti rudzi rwako ruwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, vanhu vaIsraeri pavaigara munyika yavo chaiyo, vakaisvibisa namaitiro avo uye namabasa avo. Maitiro avo akanga akaita sokusachena kwomukadzi ari kumwedzi pamberi pangu. Saka ndakadurura hasha dzangu pamusoro pavo nokuti vakanga vateura ropa munyika uye nokuti vakanga vakaisvibisa nezvifananidzo zvavo. Ndakavaparadzira pakati pendudzi, uye vakadzingirwa kunyika dzose; ndakavatonga zvakafanira mufambiro wavo namabasa avo. Uye kwose kwose kwavakaenda pakati pendudzi, vakasvibisa zita rangu dzvene, nokuti zvakanzi pamusoro pavo, ‘Ava ndivo vanhu vaJehovha, asi vakatonzi vabve munyika yake.’ Ndakanga ndine hanya nezita rangu dzvene, rakanga rasvibiswa neimba yaIsraeri pakati pendudzi kwavakanga vaenda. “Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakusi kuda kwenyu, imi imba yaIsraeri, kuti ndiite zvinhu izvi, asi imhaka yezita dzvene, ramakasvibisa pakati pendudzi kwamakaenda. Ndicharatidza utsvene hwezita rangu guru, rakanga rasvibiswa pakati pendudzi, iro zita ramakasvibisa pakati pavo. Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ndini Jehovha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, panguva yandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo. “ ‘Nokuti ndichakubudisa pakati pendudzi; ndichakuunganidzai kubva kunyika dzose ndigokudzoserai munyika yangu chaiyo. Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchava vakachena, ndichakunatsai patsvina yenyu yose napazvifananidzo zvenyu. Ndichakupai mwoyo mutsva nokuisa mweya mutsva mukati menyu, ndichabvisa mwoyo webwe mamuri ndigoisa mwoyo wenyama mukati menyu. Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu nokukuitai kuti mutevere mitemo yangu nokuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu. Muchagara munyika yandakapa madzitateguru enyu; imi muchava vanhu vangu, uye ndichava Mwari wenyu. Ndichakuponesai kubva pakusachena kwenyu kwose. Ndichadana zviyo nokuzviwanza uye handingauyisi nzara pamusoro penyu. Ndichawanza zvibereko zvemiti uye nezvirimwa zveminda, kuitira kuti murege kuzoshorwazve pakati pendudzi nokuda kwenzara. Ipapo mucharangarira nzira dzenyu dzakaipa namabasa enyu akaipa, uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvivi zvenyu namabasa enyu anonyangadza. Ndinoda kuti muzive kuti handisi kuita izvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Nyaraiwo uye munyadziswe nokuda kwamaitiro enyu, imi, imba yaIsraeri! “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randinokunatsai pazvivi zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta enyu uye matongo achavakwazve. Nyika yakanga yava dongo icharimwazve pachinzvimbo chokugara iri dongo pamberi pavose vanopfuura napo. Vachati, “Nyika iyi yakanga yaparara iye zvino yafanana nebindu reEdheni; maguta akanga ava matongo aparadzwa, zvino akomberedzwa uye ogarwa.” Ipapo ndudzi dzakasara, dzakakupoteredzai dzichaziva kuti ini Jehovha ndakavakazve zvakanga zvaparadzwa uye ndakadyarazve zvakanga zvaparadzwa. Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’ “Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichagamuchirazve chikumbiro cheimba yaIsraeri ndigovaitira izvi: Ndichawanza kwazvo vanhu vavo sokuwanda kwamakwai, sokuwanda kwakaita mapoka ezvipiriso paJerusarema panguva yemitambo yaro yakatarwa. Saka maguta akaparadzwa achazadzwa namapoka avanhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.” Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akandibudisa noMweya waJehovha akandiisa pakati pomupata; wakanga uzere namapfupa. Akanditungamirira kuno nokoko pakati pawo, uye ndakaona mapfupa mazhinji zhinji pamusoro pomupata; mapfupa akanga akaoma kwazvo. Iye akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya angararama here?” Ini ndakati, “Imi Ishe Jehovha, iyemi moga munoziva.” Ipapo iye akati kwandiri, “Profita kumapfupa aya uti kwaari, ‘Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa aya: Ndichaisa mweya mukati menyu mugorarama. Ndichaisa marunda pamuri nokuita kuti muve nenyama pamusoro penyu ndigokufukidzai neganda; ndichaisa mweya mukati menyu uye muchararama. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Saka ndakaprofita sezvandakarayirwa. Zvino ndakati ndichiprofita, kwakava nomumvumo, nokurira kwaiti kweche kweche, uye mapfupa akaswededzana, bvupa nebvupa. Ndakatarira, ndikaona marunda nenyama zvavapo uye zvakafukidzwa neganda, asi makanga musina mweya mukati mazvo. Ipapo akati kwandiri, “Profita kumhepo; profita, mwanakomana womunhu, uti kwairi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Uya uchibva kumhepo ina, iwe mweya, ufemere mukati maava vakaurayiwa, kuti vararame.’ ” Saka ndakaprofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo; vakararama vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo. Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya ndiyo imba yose yaIsraeri. Ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro; taparadzwa hedu.’ Naizvozvo profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa vanhu vangu, ndiri kuzozarura marinda enyu ndigokubudisai maari; ndichakudzoseraizve kunyika yaIsraeri. Ipapo imi, vanhu vangu, muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichazarura marinda enyu ndichikubudisai maari. Ndichaisa mweya wangu mukati menyu mugorarama, uye ndichakugarisai munyika yenyu. Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndakazviita, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, tora rutanda unyore parwuri kuti, ‘ZvaJudha nezvaIsraeri shamwari dzake.’ Ipapo utore rumwe rutanda, ugonyora pamusoro parwo kuti, ‘Rutanda rwaEfuremu, norwaJosefa neimba yose yaIsraeri neshamwari dzake.’ Uzvibatanidze pamwe chete zvive rutanda rumwe kuitira kuti zvive rutanda rumwe chete muruoko rwako. “Kana vanhu venyika yako vakakubvunza vachiti, ‘Haungatiudziwo zvaunoreva nechinhu ichi here?’ uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzotora rutanda rwaJosefa, rwuri muruoko rwaEfuremu, nerwaIsraeri shamwari dzake, ndigorubatanidza nerwaJudha, ndichiaita rutanda rumwe chete rwehuni, agova rutanda rumwe chete muruoko rwangu.’ Uabate pamberi pavo iwo matanda awakanyora paari ugoti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kubva munyika dzose kwavakanga vaenda ndichadzosera vaIsraeri munyika yavo. Ndichavaita rudzi rumwe chete munyika iyo, pamakomo aIsraeri. Pachava namambo mumwe chete pamusoro pavo vose uye havachazovizve ndudzi mbiri kana kupatsanurwa kuti vave umambo huviri. Havachazozvisvibisizve nezvifananidzo zvavo kana nezvinonyangadza zvavo kana kudarika kuipa kwavo, nokuti ini ndichavaponesa pazvivi zvavo zvokudzokera shure, uye ndichavanatsa. Vachava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wavo. “ ‘Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo pamusoro pavo, uye vose vachava nomufudzi mumwe chete. Vachatevera mirayiro yangu nokuchenjerera kuchengeta mitemo yangu. Vachagara munyika yandakapa kumuranda wangu Jakobho, iyo nyika yaigara madzibaba avo. Vachagaramo nokusingaperi ivo navana vavo navana vavana vavo uye Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi. Ndichaita sungano yorugare navo; ichava sungano isingaperi. Ndichavasimbisa nokuvawanza uye ndichaisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi. Ugaro hwangu huchava pakati pavo, ini ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ini Jehovha ndinoita Israeri kuti ave mutsvene, kana nzvimbo yangu tsvene ikagara pakati pavo nokusingaperi.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yeMagogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari; uprofite pamusoro pake uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi muchinda mukuru weMesheki neTubhari. Ndichakutendeusa, ndigoisa zvikokovono mushaya dzako ndigokubudisa iwe nehondo yako yose, mabhiza ako, vatasvi vamabhiza vakashonga nguo dzakakwana, uye navanhu vazhinji vane nhoo huru neduku, vose vachivheyesa minondo yavo. Pezhia neEtiopia neRibhiya dzinenge dziripowo, vose vaine nhoo nenguwani dzokurwa, Gomeriwo namauto ayo ose, neBheti Togarima ichibva kumusoro chaiko namauto ayo ose, ndudzi zhinji dzinewe. “ ‘Gadzirira; iva wakagadzirira, iwe pamwe chete navanhu vazhinji vakaungana pauri, iwe uve mukuru wavo. Shure kwamazuva mazhinji iwe uchadanidzira hondo. Pamakore anotevera, iwe uchakomba nyika yakabva muhondo, ina vanhu vakaunganidzwa kubva kundudzi zhinji kumakomo aIsraeri, akanga ava dongo kwenguva huru. Vakabudiswa kubva kundudzi, zvino vose vachagara zvakanaka. Iwe namauto ako ose nendudzi zhinji dzinewe muchakwira, muchienda sedutu; muchaita segore rinofukidza nyika. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva iro, mwoyo wako uchapindwa nepfungwa dzakaipa, uchafunga zano rakaipa. Iwe uchati, “Ndichakomba misha isina masvingo; ndicharwisa vanhu vasingafungiri vagere zvavo zvakanaka, vose vanogara vasina masvingo uye vasina masuo namazariro. Ndichapamba nokuba, ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndirwise matongo ogarwa navanhu uye vanhu vakaungana kubva kundudzi vakapfuma pazvipfuwo nenhumbi, vagere pakati penyika.” Shebha neDhedhani navashambadziri vokuTashishi nemisha yaro yose vachati kwauri, “Wauya kuzopamba here? Waunganidza vanhu kuti vatore zvipfuwo nenhumbi uye kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?” ’ “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, profita uti kuna Gogi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: pazuva iro, vanhu vangu vaIsraeri vava kugara zvakanaka, haungazvioni here? Uchauya uchibva kunzvimbo yako iri kumusoro chaiko, iwe nendudzi zhinji dzinewe, vose vakatasva mabhiza, vanhu vazhinji, hondo ine simba. Uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsraeri segore rinofukidza nyika. Mumazuva anouya, iwe Gogi, ndichakuuyisa kuzorwa nenyika yangu, kuitira kuti ndudzi dzigondiziva pandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ko, hauziwe wandakataura nezvako pamazuva ekare navaranda vangu ivo vaprofita vaIsraeri here? Panguva iyoyo vakaprofita kwamakore kuti ini ndichakuuyisa kuzovarwisa. Izvi ndizvo zvichaitika pazuva iroro: Nyika yaIsraeri painorwiswa naGogi, hasha dzangu huru dzichamuka, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pakushingaira kwangu uye nomoto wehasha dzangu, ndinozivisa kuti panguva iyoyo pachava nokudengenyeka kukuru munyika yaIsraeri. Hove dzegungwa, shiri dzedenga, mhuka dzesango, nezvose zvinokambaria panyika, navanhu vose vari pamusoro penyika vachadedera pamberi pangu. Makomo achapidiguka, namawere achaondomoka uye rusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi. Ndichadana munondo kuzorwisa Gogi pamusoro pamakomo ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Munondo womunhu mumwe nomumwe uchabaya hama yake. Ndicharanga nedenda nokudeuka kweropa; ndichanayisa mvura zhinji, nechimvuramabwe nesufuri inopfuta pamusoro pake napamusoro pamauto ake uye napamusoro pendudzi dzaanadzo. Nokudaro ndicharatidza ukuru hwangu noutsvene hwangu, uye ndichazvizivisa pamberi pendudzi zhinji. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro paGogi, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari. Ndichakutendeutsa ndigokukwekweredza. Ndichakubvisa kumusoro ndigokutumira kundorwisa pamakomo eIsraeri. Ipapo ndicharova museve wako nechokuruboshwe rwako ndigowisira miseve yako pasi ichibva muruoko rwako rworudyi. Uchawa pamakomo aIsraeri, iwe namauto ako ose uye nendudzi dzaunadzo. Ndichakupa iwe sechokudya chemhando dzose dzeshiri dzinodya nyama uye nokumhuka dzesango. Uchawira pamhene, nokuti ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichatuma moto pamusoro paMagogi uye napamusoro pavagere zvakanaka muzviwi, uye vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pavanhu vangu vaIsraeri. Handichazobvumiri kuti zita rangu dzvene risvibiswe, uye ndudzi dzichaziva kuti ini Jehovha ndini mutsvene woga waIsraeri. Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Iri ndiro zuva randakareva. “ ‘Ipapo vaya vanogara mumaguta aIsraeri vachabuda kunze vagoshandisa zvombo sehuni vagozvipisa, senhoo duku nehuru, uta nemiseve, tsvimbo dzehondo namapfumo. Vachazvishandisa sehuni kwamakore manomwe. Havachazounganidzi huni kubva musango kana kudzitema kumatondo, nokuti vachashandisa zvombo sehuni. Uye vachapamba vaya vakambovapamba nokuvabira vaya vakambovabira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “ ‘Pazuva iro, ndichapa Gogi nzvimbo yamakuva muIsraeri, mumupata wavaya vanoshanya vachienda kumabvazuva vakananga kugungwa. Ichadzivirira nzira yavashanyi, nokuti Gogi navanhu vake vachavigwapo. Saka ichatumidzwa kunzi Mupata waHamoni Gogi. “ ‘Imba yaIsraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga kuitira kuti nyika inatswe. Vanhu vose vomunyika vachavaviga, uye zuva rokukudzwa kwangu richava zuva ravacharangarira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “ ‘Vachapa vanhu basa rokuchenesa nyika nguva dzose. Vamwe vachapota nenyika yose uye, kubatanidza naivavo vamwe vachaviga vaya vakasiyiwa vachingova pachena. Mushure memwedzi vachazotanga kutsvaga. Pavachange vachipota nenyika, kana mumwe akaona bvupa romunhu, achaisapo chiratidzo parutivi rwaro kusvikira vacheri vamarinda variviga muMupata waHamoni Gogi. Uyezve, pachava neguta rinonzi Hamona ipapo. Nokudaro vachanatsa nyika.’ “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Danidzira kumarudzi ose eshiri uye nemhuka dzose dzesango uti, ‘Unganai uye muve pamwe chete muchibva kwose kwose muuye kuchibayiro chandiri kukugadzirirai, chibayiro chikuru pamusoro pamakomo eIsraeri. Muchadya nyama nokunwa ropa ipapo. Muchadya nyama yavarume vane simba nokunwa ropa ramachinda enyika kunge ramakondohwe, neremakwayana, nerembudzi uye rehando, mhuka dzose dzakakodzwa dzinobva kuBhashani. Pachibayiro chandinokugadzirirai, muchadya mafuta kusvikira makorwa nawo, nokunwa ropa kusvikira madhakwa. Patafura yangu muchadya mabhiza navatasvi vavo, varume vane simba navarwi vemhando dzose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Ndicharatidza kubwinya kwangu pakati pendudzi, uye nduzi dzose dzichaona kuranga kwandinoita noruoko rwandinoisa pamusoro pavo. Kubva pazuva iro zvichienda mberi, imba yaIsraeri ichaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo. Uye ndudzi dzichaziva kuti vanhu vaIsraeri vakaenda kuutapwa nokuda kwechivi chavo, nokuti vakanga vasina kutendeka kwandiri. Saka ndakavavanzira chiso changu ndikavaisa mumaoko avavengi vavo, uye vose vakaurayiwa nomunondo. Ndakavaitira zvakafanira kusachena kwavo uye kudarika kwavo, uye ndakavavanzira chiso changu. “Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Zvino ndichabvisa Jakobho kubva mukutapwa uye ndichanzwira tsitsi vanhu vose veIsraeri, uye ndichashingairira zita rangu dzvene. Vachakanganwa kunyadziswa kwavo nokusatendeka kwavo kwose kwavakaratidza kwandiri pavakagara zvakanaka munyika yavo pasina aivavhundusa. Pandichavadzosa kubva kundudzi nokuvaunganidza vachibva kunyika dzavavengi vavo, ndicharatidza utsvene hwangu kubudikidza navo pamberi pendudzi zhinji. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, nokuti kunyange ndakavadzingira kuutapwa pakati pendudzi, ndichavaunganidza munyika yavo, pasina wandinosiya. Handingazovavanzirizve chiso changu, nokuti ndichadurura Mweya wangu pamusoro peimba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Mugore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, pazuva regumi romwedzi, mugore regumi namana, shure kwokuwa kweguta, pazuva racho iroro ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu uye akandiendesako. Pane zvandakaratidzwa naMwari akanditora akandiendesa kunyika yaIsraeri akandimisa pagomo refu refu, zasi kwaro kwakanga kune dzimba dzakanga dzichiratidzika seguta. Akandiendesa ikoko, ndikaona munhu akanga achiratidzika sendarira; akanga akamira pasuo ane tambo yomucheka netsvimbo yokueresa muruoko rwake. Murume uyu akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako uye unzwe nenzeve dzako uye uongorore zvose zvandichakuratidza, nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvi. Utaurire imba yaIsraeri zvose zvaunoona.” Ndakaona rusvingo rwakanga rwakapoteredza nzvimbo yose, yetemberi. Urefu hwetsvimbo yokuera yakanga iri muruoko rwomurume uyu hwaisvika makubhiti matanhatua, rimwe nerimwe richiita kubhiti rimwe chete noupamhi hwechanzab. Akayera rusvingo; ukobvu hworusvingo hwakanga huchiita tsvimbo yokuyera imwe chete, uye urefu huchiita tsvimbo imwe chete. Ipapo akaenda kusuo rakatarisa kumabvazuva. Akakwira nezvikwiriso zvarwo ndokuyera chikumbaridzo chesuo; chakanga chichiita tsvimbo imwe chete pakudzika. Makamuri avarindi akanga akaenzana netsvimbo imwe chete yokuyera paurefu uye tsvimbo imwe chete paupamhi, uye masvingo apakati pamakamuri akanga ari makubhiti mashanu paukobvu. Uye chikumbaridzo chesuo rakanga riri parutivi rwebiravira rakatarisana netemberi chaiita tsvimbo imwe chete pakudzika. Ipapo akayera biravira resuo; rakanga rakadzika kwamakubhiti masere uye mbiru dzacho makubhiti maviri paukobvu. Biravira resuo rakanga rakanangana netemberi. Mukati mesuo rokumabvazuva makanga muna makamuri matatu parutivi rumwe norumwe; ose ari matatu akanga ane chiyero chakaenzana. Ipapo akayera upamhi hwomukova wokusuo; wakanga una makubhiti gumi uye urefu hwacho hwaisvika makubhiti gumi namatatu. Pamberi pekamuri rimwe nerimwe pakanga pana madziro akareba kubhiti rimwe chete, uye makamuri akanga ana makubhiti matanhatu akaenzana. Ipapo akayera musuo kubva nechokumusoro kwamadziro kumashure kwerimwe ramakamuri nechokumusoro kwakatarisana nerimwe; nhambwe dzakanga dzichisvika makubhiti makumi maviri namashanu kubva pakazaruka pamadziro kusvikira kuno rumwe rutivi rwakatarisana nawo. Akayera pakatarisana namasvingo aionekwa achipoteredzwa nechomukati mesuo, makubhiti makumi matanhatu. Akayera kusvika pabiravira rakatarisana noruvazhe. Nhambwe dzaibva pamukova wesuo kusvikira kwokupedzisira kwebiravira dzakanga dziri makubhiti makumi mashanu. Makamuri namasvingo aionekwa omukati mesuo akanga akavharirwa nechidziro namawindo maduku akapoteredza, sezvakanga zvakaita pabiravira; napamawindo akapoteredza akatarisa nechomukati; mberi kwamasvingo kwakanga kwakashongedzwa nemiti yemichindwe. Ipapo akandipinza muruvazhe rwokunze. Ndakaona dzimba ikoko uye nzira dzakanga dzakavakirwa dzakakomberedza ruvazhe; makanga muna makamuri makumi matatu aiva mujinga menzira yakavakirwa. Dzakanga dzakaganhurana norutivi rwamasuo uye zvakaenzana paupamhi nokureba; ndiyo yakanga iri nzira yakavakirwa yenyasi. Ipapo akayera nhambwe kubva nechomukati kwerutivi rwesuo rezasi kusvikira kunze kworuvazhe rwomukati; rwakanga runa makubhiti zana nechokumabvazuva, uye nechokumusorowo. Ipapo akayera urefu noupamhi hwesuo rakatarisana nechokumusoro raienda kuruvanze rwokunze. Makamuri aro, matatu kurutivi rumwe norumwe, masvingo aro aionekera nebiravira raro zvakanga zvakaenzana nezviya zvesuo rokutanga. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rina makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi. Mawindo aro, mabiravira aro uye miti yokushongedza yemichindwe, zvakanga zvakangoenzana nezviya zvesuo rakanga rakatarisa kumabvazuva. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho. Pakanga pane suo rinopinda muruvazhe rwomukati rakanga rakanangana nesuo rokumusoro, sezvazvakanga zvakaitawo nechokumabvazuva. Akayera kubva pane rimwe suo kusvikira pane rakanangana naro; aiva makubhiti zana. Ipapo akanditungamirira kurutivi rwezasi ndikaona suo rakatarisa zasi. Akayera mbiru dzaro namabiravira aro, uye akanga akangoenzana namamwe pakuyera. Suo rebiravira raro zvaiva namawindo maduku aipoteredza, samawindo amamwe. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rine upamhi huna makubhiti maviri namashanu. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho; rakanga rine miti yokushongedza yemichindwe pamadziro aionekera kurutivi rumwe norumwe. Ruvazhe rwomukati nairwowo rwakanga rune suo rakatarisa zasi, uye akayera kubva pasuo iri kusvika kusuo rokunze kurutivi rwezasi; aiva makubhiti zana. Ipapo akaenda neni kuruvazhe rwomukati achipinda napasuo rezasi, uye akayera suo rezasi; rwakanga rwakaenzana namamwe pakuyera. Makamuri aro, namadziro anoonekera uye namabiravira aro, akanga akaenzana namamwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo akazvipoteredza. Akanga akareba makubhiti makumi mashanu noupamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu. Mabiravira esuo akapoteredza ruvazhe rwomukati akanga ane upamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu uye makubhiti mashanu pakudzika. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru dzaro, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko. Ipapo akandipinza muruvazhe rwomukati nechokumabvazuva, iye ndokuyera suo; rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera. Makamuri aro, namadziro aro aionekera nebiravira racho zvakanga zvine zvakaenzana nezvimwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo kumativi ose. Zvakanga zvakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko. Ipapo akaenda neni kusuo rokumusoro ndokuriyera. Rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera, sezvakanga zvakaitawo makamuri aro, namadziro aro aionekera uye biravira racho, uye rakanga rina mawindo kumativi ose. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko. Kamuri rino mukova rakanga riri pabiravira pasuo rimwe nerimwe rechomukati, kwaisukirwa zvibayiro zvinopiswa. Mubiravira rapasuo makanga muna matafura maviri pamativi ose, paiurayirwa zvibayiro zvinopiswa, nezvezvivi nezvemhosva. Kurutivi rwokunze rworusvingo rwebiravira repasuo, pedyo nezvikwiriso zvapamukova nechokumusoro kwesuo rokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwezvikwiriso kwaivawo namatafura maviri. Saka kwakanga kuna matafura mana parutivi rwesuo uye mamwezve mana kuno rumwe rutivi, matafura masere munzvimbo dzose, pakanga pachiurayirwa zvibayiro. Kwakanga kuna mamwezve matafura mana amabwe akashongedzwa ezvibayiro zvinopiswa, rimwe nerimwe rine kubhiti rimwe nehafu paurefu, kubhiti nehafu paupamhi uye kubhiti rimwe chete pakukwirira. Pamusoro pawo pakanga pakaiswa midziyo yavaibayira nayo zvibayiro zvinopiswa nezvimwewo zvibayiro. Uye zvikokovono zvaiva nemhanda mbiri, chimwe nechimwe chakanga chine upamhi hwechanza chomunhu pakureba, zvakanga zvakasungirirwa pamadziro ose. Matafura akanga ari enyama yezvipiriso. Kunze kwesuo romukati, nechomukati moruvazhe rwomukati, makanga muna makamuri maviri, rimwe kurutivi rwesuo rokumusoro uye rakatarisa kumusoro. Iye akati kwandiri, “Kamuri rakatarisa zasi, nderavaprista vanochengeta temberi, Uye kamuri rakatarisa kumusoro nderavaprista vanochengeta aritari. Ava ndivo vana vaZadhoki, vanova ndivo vaRevhi chete vangaswedera pedyo naJehovha kuti vashumire pamberi pake.” Ipapo akayera ruvazhe: Rwakanga rwakaenzana mativi ose, makubhiti zana pakureba, uye makubhiti zana paupamhi. Uye aritari yakanga iri pamberi petemberi. Akandibudisira kubiravira retemberi ndokuyera mbiru dzebiravira, dzakanga dzina makubhiti mashanu kumativi ose. Upamhi hwesuo hwaiva makubhiti gumi namana uye madziro acho aionekera akanga ana makubhiti matatu paupamhi kumativi ose. Biravira rakanga rina makubhiti makumi maviri paupamhi, uye makubhiti gumi namaviri kubva mberi kusvika shure. Ikoko kwaisvikwa nezvikwiriso, uye kwakanga kune mbiru parutivi rumwe norumwe rwedzimwe mbiru. Ipapo munhu uya akandiuyisa kunzvimbo tsvene yokunze akayera mbiru, upamhi hwembiru hwaisvika makubhiti matanhatua rumwe norumwe. Mukova wacho wakanga una makubhiti gumi paupamhi, uye madziro aionekera kurutivi rumwe norumwe rwawo akanga ana makubhiti mashanu paupamhi. Iye akayerawo nzvimbo tsvene yokunze; yakanga yakareba makubhiti makumi mana uye makubhiti makumi maviri paupamhi. Ipapo akapinda munzvimbo tsvene yomukati ndokuyera mbiru dzomukova; imwe neimwe yakanga ina makubhiti maviri paupamhi. Mukova wacho wakanga una makubhiti matanhatu paupamhi uye madziro aionekera kurutivi rumwe norumwe rwawo aiva makubhiti manomwe paupamhi. Akayera urefu hwenzvimbo tsvene yomukati; yakanga ina makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri zvichiyambukira kumagumo okunze kwenzvimbo tsvene. Akati kwandiri, “Iyi ndiyo Nzvimbo Tsvene-tsvene.” Ipapo akayera madziro etemberi; akanga ari makubhiti matanhatu paukobvu, uye rutivi rumwe norumwe rwekamuri rwaipoteredza temberi rwakanga runo upamhi hwaisvika makubhiti mana. Makamuri omumativi akanga ane miturikidzwa mitatu, mumwe pamusoro pomumwe, makamuri makumi matatu pamuturikidzwa mumwe nomumwe. Makanga muna masherufu matetetete aipoteredza madziro etemberi aibatsira kutsigira makamuri omumativi, saka zvitsigiro zvakanga zvisina kuvakirwa mumadziro etemberi. Makamuri omumativi akanga akapoteredza temberi akanga akapamhama zvokuti riri pasi raipfuurwa neriri pamusoro zvichingodaro. Chidziro chaipoteredza temberi chakavakwa chichikwira nokukwirira, zvokuti kamuri dzaipamhamha munhu paakwirira kumusoro. Zvikwiriso zvaibva pasi zvichisvika kumuturikidzwa wapamusoro. Ndakaona kuti temberi yakanga ina pakakwirira kumativi ayo ose, panova ndipo paiva nheyo yamakamuri omumativi. Yaiva nourefu hwakaenzana netsvimbo yokuyera yakareba makubhiti matanhatu. Madziro okunze emakamuri okumativi aiva noukobvu hwaisvika makubhiti mashanu. Nzvimbo yakashama yakanga iri pakati pamakamuri okumativi etemberi. Uye makamuri avaprista aisvika makubhiti makumi maviri paupamhi achipoteredza temberi kumativi ose. Kwakanga kune mikova yaipinda kumakamuri okumativi uchibva nokunzvimbo yakashama, mumwe nechokumusoro, mumwe nechenyasi; uye hwaro hwaibatanidza nzvimbo yakasara hwaisvika makubhiti mashanu paupamhi kumativi ose. Imba yakatarisana noruvazhe rwetemberi nechokumavirira yaisvika makubhiti makumi manomwe paupamhi. Madziro eimba akanga ana makubhiti mashanu paukobvu kumativi ose, uye urefu hwawo hwaisvika makubhiti makumi mapfumbamwe. Ipapo akayera temberi; yakanga ina makubhiti zana pakureba, uye ruvazhe rwetemberi neimba namadziro ayo yaivawo namakubhiti zana pakureba. Upamhi hworuvazhe rwetemberi nechokumabvazuva, zvichibatana nemberi kwetemberi, hwaisvika makubhiti zana. Ipapo akayera urefu hweimba yakatarisana noruvazhe necheshure kwetemberi, kusanganisa nedzimba dzokuratidzira dzacho kurutivi rumwe norumwe; zvakaita makubhiti zana. Nzvimbo tsvene yokunze, nenzvimbo tsvene yomukati uye biravira rakatarisana noruvazhe, pamwe chetewo napazvikumbaridzo uye napamawindo maduku napadzimba dzokuratidzira zvose zviri zvitatu, zvinhu zvose zvaiva seri nechikumbaridzowo, zvakanga zvakafukidzwa namapuranga. Uriri, madziro kusvika pamawindo, namawindo zvakanga zvakafukidzwa. Panzvimbo yakanga iri pamusoro nechokunze kwomukova wokupinda munzvimbo tsvene napamadziro, nechiyero chakafanana pakati pazvo zvakapoteredza nzvimbo tsvene yomukati neyokunze, paiva namakerubhi akavezwa nemiti yemichindwe. Pakati pamakerubhi paiva nemiti yemichindwe. Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zviviri: chiso chomunhu chakatarisana nomuti womuchindwe kuno rumwe rutivi uye kuno rumwe rutivi chiso cheshumba chakananganavo nomuti womuchindwe uri kuno rumwe rutivi. Zvakanga zvakavezwa pamativi ose etemberi. Kubva pauriri kusvikira kunzvimbo yaiva pamusoro pomukova, makerubhi nemiti yemichindwe zvakanga zvakavezwa pamadziro enzvimbo tsvene yokunze. Nzvimbo tsvene yokunze yakanga ine magwatidziro omukova ana mativi mana akaenzana, uye duku racho ndiro rakanga riri mberi kweNzvimbo Tsvene-tsvene. Pakanga pane aritari yakavezwa namatanda yaisvika makubhiti matatu pakukwirira kwayo uye yakaenzana urefu noupamhi makubhiti maviri; makona ayo, pasi payo namativi ayo, akanga ari matanda. Munhu uya akati kwandiri, “Iri ndiro tafura riri pamberi paJehovha.” Nzvimbo tsvene yokunze neNzvimbo Tsvenetsvene dzakanga dzina makonhi maviri maviri dzose. Mukova mumwe nomumwe wakanga una masasa maviri, masasa aitenderera maviri pamukova mumwe nomumwe. Uye pamakonhi enzvimbo tsvene yokunze pakanga pana makerubhi akavezwa nemiti yemichindwe yakaita seiya yakavezerwa pamadziro, uye pakanga pane chikumbaridzo chakavezwa pamberi pebiravira. Parutivi rwamadziro ebiravira pakanga pana mawindo maduku ane miti yemichindwe yakavezwa pamativi ose. Makamuri okumativi etemberi naiwowo aiva nezvikumbaridzo. Ipapo munhu uya akanditungamirira nechokumusoro nechomukati moruvazhe rwokunze ndokundiendesa kumakamuri akanga akatarisana noruvazhe rwetemberi uye pakatarisana namadziro okunze kurutivi rwokumusoro. Imba yakanga ino mukova wakatarisa kumusoro yakanga yakareba makubhiti zanaa uye makubhiti makumi mashanu paupamhi. Pakatarisana namakubhiti makumi maviri oruvazhe rwomukati, uye pakatarisana nenzira yakanga yakavakirwa yoruvazhe rwokunze kwakanga kuna mabiravira akatarisana, akaturikidzwa ari matatu. Pamberi pamakamuri pakanga pane nzvimbo yokufamba yakanga ine upamhi makubhiti gumi uye makubhiti zana pakureba. Makonhi ayo akanga ari nechokumusoro. Zvino makamuri apamusoro akanga ari maduku, nokuti nzvimbo dzokuratidzira dzakanga dzatorera nzvimbo yakawanda kubva paari kupfuura makamuri apasi namakamuri apasi namakamuri apakati peimba. Makamuri omuturikidzwa wechitatu akanga asina mbiru, sezvakanga zvakaita ruvazhe; saka akanga ari maduku duku panzvimbo youriri kupfuura aya akanga ari pasi nechapakati. Pakanga pane madziro aitevedzana namakamuri uye noruvazhe rwokunze. Musara wamakamuri kurutivi runotevedzana noruvazhe rwokunze wakanga uri makubhiti makumi mashanu pakureba, musara waparutivi rwaiva pedyo pedyo nenzvimbo tsvene wakanga una makubhiti zana pakureba kwawo. Makamuri apasi akanga ano mukova kurutivi rwokumabvazuva kana munhu achipinda kwaari achibva nechokuruvazhe rwokunze. Parutivi rwezasi zvichitevedzana nokureba kworusvingo rworuvazhe rwokunze, pedyo noruvazhe rwetemberi uye kwakatarisana norusvingo rwokunze, pakanga pana makamuri nenzvimbo yokufamba nayo nechemberi kwawo. Aya akanga akafanana namakamuri okumusoro; akanga akaenzana pakureba noupamhi, akanga akafanana pokubuda napo uye nokuyerwa kwawo. Sezvakanga zvakaita makonhi okumusoro ndizvo zvakanga zvakaita mikova yamakamuri ezasi. Pakanga pane mukova paitangira nzvimbo yokufamba nayo pakanga pakangoenzana namadziro akanangana nawo zvichipfuurira zvakananga kumabvazuva, kana munhu achipinda mumakamuri. Ipapo akati kwandiri, “Makamuri okumusoro neezasi iwo akatarisana noruvazhe rwetemberi ndeevaprista, ndipo panodyirwa zvipiriso zvitsvenetsvene navaprista vanoswedera pana Jehovha. Vachaisa ipapo zvipiriso zvitsvene-tsvene, zvipiriso zvezviyo, zvechivi, uye zvemhosva, nokuti nzvimbo yacho itsvene. Kana vaprista vakangopinda panzvimbo tsvene, havachafaniri kubudira kuruvazhe rwokunze kusvikira vasiya nguo dzavanga vachishandisa pakushumira, nokuti idzo itsvene. Vanofanira kupfeka dzimwe nguo vasati vasvika pedyo nenzvimbo dzavanhu.” Akati apedza kuyera zvakanga zviri mukati metemberi, akandibudisa kunze nechokusuo rokumabvazuva ndokubva ayera nzvimbo yacho yose. Akayera rutivi rwokumabvazuva netsvimbo yokuyeresa; yakanga ina makubhiti mazana mashanu. Akayerawo rutivi rwokumusoro; rwakanga runa makubhiti anosvika mazana mashanu nechiyero chetsvimbo. Akayerawo rutivi rwezasi; rwakanga runa makubhiti mazana mashanu nechiyero chetsvimbo. Ipapo akatendeukira kurutivi rwokumavirira ndokuyera; rwakanga runa makubhiti anosvika mazana mashanu nechiyero chetsvimbo. Saka akayera nzvimbo kumativi mana ose. Yakanga ino rusvingo rwakaipoteredza, mazana mashanu amakubhiti pakureba uye mazana mashanu paupamhi, kuti zviparadzanise zvitsvene nezvisati zviri zvitsvene. Ipapo munhu uya akandiuyisa kusuo rakatarisa kumabvazuva, uye ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva. Inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji, uye pasi pakapenya nokubwinya kwake. Chiratidzo chandakaona chakanga chakaita sechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta uye nechiratidzo chandakaona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu. Kubwinya kwaJehovha kwakapinda mutemberi napasuo rakanangana nokumabvazuva. Ipapo mweya wakandisimudza ukandiisa muruvazhe rwomukati, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi. Murume uya achakamira pandiri, ndakanzwa mumwe achiti kwandiri ari mukati metemberi. Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choushe nenzvimbo yechitsiko chetsoka dzangu. Ndipo pandichagara ndiri pakati pavaIsraeri nokusingaperi. Imba yaIsraeri haichazosvibisizve zita rangu dzvene kunyange ivo kana madzimambo avo, noufeve hwavo uye zvifananidzo zvamadzimambo avo, zvisina upenyu panzvimbo dzavo dzakakwirira. Pavanoisa chikumbaridzo mujinga mechikumbaridzo changu namagwatidziro pajinga negwatidziro rangu pachingova norusvingo pakati pangu naivo, vanosvibisa zita rangu dzvene nezvinonyangadza zvavanoita. Saka ndakavaparadza mukutsamwa kwangu. Zvino ngavarashire ufeve hwavo kure nezvifananidzo zvavo zvisina upenyu zvamadzimambo avo, ipapo ndichagara pakati pavo nokusingaperi. “Mwanakomana womunhu, rondedzera nezvetemberi kuvanhu veIsraeri, kuti vanyare pamusoro pezvivi zvavo. Ngavarangarire urongwa, uye kana vachinyara pamusoro pezvavakaita zvose, uvazivise magadzirirwo etemberi, nourongwa hwayo, panobudiwa napo napanopindwa napo, mamiriro ayo ose nemitemo yayo yose uye mirayiro yayo. Unyore izvi pamberi pavo kuti vagova vakatendeka kumagadzirirwo ayo vagotevera mitemo yayo yose. “Uyu ndiwo murayiro wetemberi: Nzvimbo dzose dzakapoteredza dziri pamusoro pegomo dzichava tsvene-tsvene. Ndiwo murayiro wetemberi iwoyu. “Izvi ndizvo zviyero zvearitari mumakubhiti marefu, kubhiti riri kubhitia noupamhi hwechanzab: Chigadziko chayo chakadzika kubhiti rimwe chete nekubhiti rimwe chete paupamhi, nomuromo uno upamhi hwechanzac pamusoro. Uku ndiko kukwirira kwearitari: Kubva pachigadziko chapasi kusvikira pamupanda wenyasi yakakwirira namakubhiti maviri uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kubva pamupanda muduku kusvikira pamupanda mukuru yakakwirira namakubhiti mana uye kubhiti rimwe chete paupamhi. Choto chearitari chakakwirira namakubhiti mana, uye nyanga ina dzakatarira kumusoro kubva pachoto. Choto chearitari chine mativi akaenzana, makubhiti gumi namaviri paurefu uye makubhiti gumi namaviri paupamhi. Mupanda wokumusoro naiwowo una mativi akaenzana, wakareba makubhiti gumi namana uye makubhiti gumi namana paupamhi, nomuromo une hafu yekubhiti nechigadziko chekubhiti rimwe chete pakutenderera kwaro. Zvitsiko zvearitari zvakatarisa kumabvazuva.” Ipapo iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Iyi ndiyo ichava mitemo yokubayira zvibayiro zvinopiswa nokusasa ropa pamusoro pearitari painenge yavakwa: Unofanira kupa hando duku sechipiriso chechivi kuvaprista, vanova ndivo vaRevhi, vemhuri yaZadhoki, vanoswedera kuti vashumire pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Unofanira kutora rimwe reropa ugoriisa panyanga ina dzearitari uye napamakona mana pamupanda wapamusoro napamuromo wose, nokudaro unatse aritari ugoiyananisira. Unofanira kutora hando yechipiriso chechivi ugopisa panzvimbo yakatsaurwa yetemberi iri kunze kwenzvimbo tsvene. “Pazuva rechipiri unofanira kubayira nhongo isina chainopomerwa chive chibayiro chechivi, uye aritari inofanira kunatswa sokunatswa kwayakaitwa nehando. Kana mapedza kuinatsa, unofanira kubayira hando duku uye negondohwe rinobva pamakwai, zvose zvisina chazvinopomerwa. Unofanira kuzvibayira pamberi paJehovha, uye vaprista vanofanira kusasa munyu pamusoro pazvo vagozvibayira sezvibayiro zvinopisirwa Jehovha. “Kwamazuva manomwe munofanira kuuya nenhongo zuva rimwe nerimwe chive chibayiro chechivi; uye unofanirawo kuuya nehando negondohwe rinotorwa kumakwai, parege kuva nezvazvinopomerwa zvose. Vanofanira kuyananisira aritari nokuinatsa kwamazuva manomwe vagoinatsa; naizvozvo vagoikumikidza. Shure kwamazuva iwayo, kubva pazuva rorusere, vaprista vanofanira kuuya nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana paaritari. Ipapo ndichakugamuchirai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Ipapo murume uyu akandidzosera kusuo rokunze renzvimbo tsvene rakanga rakatarisa kumabvazuva, uye rakanga rakapfigwa. Jehovha akati kwandiri, “Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa. Harifaniri kuzarurwa; hakuna munhu angapinda naro. Rinofanira kugara rakapfigwa nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akapinda napariri: Muchinda pachake ndiye chete angagara mukati mesuo kuti adye ari pamberi paJehovha. Anofanira kupinda nenzira yapabiravira resuo agobuda nenzira imwe cheteyo.” Ipapo murume uyu akandiuyisa nenzira yesuo rokumusoro nechemberi kwetemberi. Ndakatarisa ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza temberi yaJehovha, ndikawira pasi nechiso changu. Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, nyatsoteerera uye unzwisise zvinhu zvose zvandinokuudza maererano nemitemo yose yetemberi yaJehovha. Ucherechedze panopindwa napo mutemberi uye napanobudiwa napo panzvimbo tsvene. Uti kuimba inondimukira yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nhai imba yaIsraeri, chigutsikanai nezvinonyangadza zvamunoita! Pamusoro pezvinonyangadza zvamakaita, makapinza vatorwa vasina kudzingiswa pamwoyo napanyama munzvimbo yangu tsvene, muchizvidza temberi yangu muchindipa zvokudya, mafuta neropa, uye makaputsa sungano yangu. Pachinzvimbo chokuita mabasa enyu akafanira zvinhu zvangu zvitsvene, makagadza vamwe vanhu kuti vave vatariri venzvimbo yangu tsvene. Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna mutorwa asina kudzingiswa pamwoyo napanyama angapinde munzvimbo yangu tsvene, kunyange vatorwa zvavo vagere pakati pavaIsraeri. “ ‘VaRevhi vakaenda kure neni panguva yakatsauka Israeri uye vakadzungaira vachibva kwandiri vachitevera zvifananidzo zvavo vanofanira kuzvitakurira zvibereko zvechivi chavo. Vangashumira havo munzvimbo yangu tsvene, vari vatariri vamasuo etemberi uye vachishanda mairi; vangabayira havo zvibayiro zvinopiswa nokubayira zvibayiro zvavanhu nokumira pamberi pavanhu vagovashumira. Asi nemhaka yokuti vakavashumira pamberi pezvifananidzo zvavo vakaita kuti imba yaIsraeri iwire muchivi, naizvozvo ndakapika ruoko rwangu rwakasimudzwa kuti vanofanira kutakura vamene zvibereko zvechivi chavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Havafaniri kuswedera kuti vandishumire savaprista kana kuswedera pane chinhu chipi nechipi chezvinhu zvangu zvitsvene kana pazvipiriso zvangu zvitsvene-tsvene; vanofanira kuzvitakurira kunyadziswa kwezvinyangadzo zvavakaita. Asi hazvo ndichavaita vatariri vamabasa omutemberi nebasa rose rinofanira kuitwamo. “ ‘Asi vaprista, ivo vaRevhi nezvizvarwa zvaZadhoki, vakaita mabasa avo omunzvimbo yangu tsvene nokutendeka panguva yakatsauka vaIsraeri kubva kwandiri, ndivo vanofanira kuswedera kwandiri kuti vashumire pamberi pangu; vanofanira kumira pamberi pangu kuti vabayire zvibayiro zvamafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ivo chete ndivo vanofanira kupinda munzvimbo yangu tsvene; ndivo chete vanofanira kuswedera patafura yangu kuti vashumire pamberi pangu nokuita basa rangu. “ ‘Pavanopinda pamasuo omuruvazhe rwomukati, vanofanira kupfeka nguo dzomucheka, havafaniri kupfeka nguo dzamakushe pavanenge vachishumira pamasuo oruvazhe rwomukati kana mukati metemberi. Vanofanira kupfeka ngowani dzomucheka pamisoro yavo uye nguo dzomukati dzomucheka muzviuno zvavo. Havafaniri kufuka chinhu chinovaitisa ziya. Pavanobuda vachipinda muruvazhe rwokunze kunova ndiko kuna vanhu, vanofanira kubvisa nguo dzavanga vachishumira nadzo vagodzisiya mumakamuri matsvene, vagopfeka dzimwe nguo, kuti varege kunatsa vanhu nenguo dzavo. “ ‘Havafaniri kuveura misoro yavo kana kurega bvudzi ravo richireba, asi vanofanira kugara vakachekerera bvudzi remisoro yavo. Muprista haafaniri kunwa waini panguva yaanopinda muruvazhe rwomukati. Havafaniri kuwana chirikadzi kana mukadzi akarambwa, vanofanira kuwana mhandara dzorudzi rwaIsraeri kana chirikadzi dzavaprista. Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu mutsauko wezvitsvene nezvinhu zvisati zviri zvitsvene nokuvaratidza kusiyana kuri pakati pechisakachena nechakachena. “ ‘Vaprista vanofanira kushanda savatongi, pagakava ripi zvaro, uye vanofanira kutonga zviri pamitemo yangu. Vanofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yose yakatarwa uye vanofanira kuchengetedza maSabata angu ave matsvene. “ ‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa nokuswedera pachitunha chomunhu akafa; kunyange zvakadaro hazvo, kana munhu akafa ari baba vake kana mai vake, mwanakomana wake kana mwanasikana, mukoma nomunun'una kana hanzvadzi yanga isina kuwanikwa, ipapo angazvisvibisa hake. Shure kwokunatswa kwake, anofanira kumirira kwamazuva manomwe. Pazuva raanopinda muruvazhe rwomukati rwenzvimbo tsvene kuti anoshumira munzvimbo tsvene, anofanira kupa chipiriso chake chechivi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “ ‘Ndini chete ndichava nhaka yavaprista. Haufaniri kuvapa mugove pakati paIsraeri; ini ndichavapa mugove wavo. Vachadya zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvechivi nezvipiriso zvemhosva; uye zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha pakati paIsraeri zvichava zvavo. Zvakanakisisa, zvezvibereko zvenyu zvokutanga nezvipo zvenyu zvose zvakatsaurwa zvichava zvavaprista. Munofanira kuvapa mugove wokutanga woupfu hwakakuyiwa kuitira kuti makomborero agogara paimba yenyu. Vaprista havafaniri kungodya zvinhu zvose, ingava shiri kana chipfuwo, chawanikwa chakafa kana chaurayiwa nezvikara zvesango. “ ‘Pamunogovera nyika senhaka, munofanira kutsaurira Jehovha mugove wenyika sedunhu dzvene, rakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu rine upamhi hwezviuru makumi maviri amakubhiti; nzvimbo yose iyoyo ichava tsvene. Panzvimbo iyoyi, chikamu chinosvika makubhiti mazana mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo yakaipoteredza inosvika makubhiti makumi mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo inosvika makubhiti makumi mashanu. Mudunhu dzvene, unofanira kuyera chikamu chinosvika makubhiti zviuri makumi maviri nezvishanua paurefu uye makubhiti zviuru gumib paupamhi. Imomo ndimo muchava nenzvimbo tsvene, iyo Nzvimbo Tsvene-tsvene. Ichava chikamu chitsvene chenyika yavaprista, vanoshumira munzvimbo tsvene vanoswedera kuti vashumire pamberi paJehovha. Ichava nzvimbo yedzimba dzavo uyewo nenzvimbo tsvene yeimba tsvene. Nzvimbo inosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paurefu uye makubhiti zviuru gumi paupamhi ichava yavaRevhi, vanoshumira mutemberi, senhaka yavo pavangavaka maguta avanogara. “ ‘Munofanira kupa guta somugove waro nzvimbo ino upamhi hunosvika makubhiti zviuru zvishanu nourefu hunosvika zviuru makumi maviri nezvishanu, parutivi pechikamu chitsvene; inofanira kuva yeimba yose yaIsraeri. “ ‘Muchinda achapiwa nyika inoganhurana nedunhu dzvene kuno rumwe rutivi uye inoganhurana nomugove weguta. Kurutivi rwokumavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwokumabvazuva zvichienda kumabvazuva, pakureba inofanira kuenzana nomugove mumwe chete kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvika kumuganhu wokumabvazuva, zvichienderana nomumwe wemigove yedzimba. Nyika iyi ichava yake pakati paIsraeri. Uye machinda angu haachazomanikidzizve vanhu vangu asi vachatendera imba yaIsraeri kuti vatore nyika zvinoenderana namarudzi avo. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Makabvira kure kwazvo, imi imba yaIsraeri! Siyai kuita nechisimba kwenyu nokumanikidza kwenyu mugoita zvakanaka nezvakarurama. Regai kupamba vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Munofanira kushandisa zviyero zvakarurama, efac yakarurama uye bhatid rakarurama. Efa nebhati zvinofanira kuenzana, bhati rine chegumi chimwe chete chehomerie neefa ine chegumi chimwe chete chehomeri; homeri ndicho chinofanira kuva chiyero chazvo zvose. Shekerif rinofanira kuva namagera makumi maviri. Mashekeri makumi maviri kusanganisa namashekeri makumi maviri namashanu, kusanganisa namashekeri gumi namashanu zvinokwana mina rimwe cheteg. “ ‘Ichi ndicho chipo chakatsaurwa chaunofanira kupa: chetanhatu cheefa chichibva pahomeri rimwe nerimwe rebhari. Nechiyero chakatarwa chamafuta, chakayerwa nebhati, ndicho chegumi chebhati kubva pakori imwe neimwe (ina mabhati gumi kana homeri rimwe chete, pamabhati gumi anoenzana nehomeri rimwe chete). Uyewo gwai rimwe chete rinofanira kutorwa kubva paboka rimwe nerimwe ramazana maviri achibva kumafuro akanyatsodiridzwa aIsraeri. Izvi zvichashandiswa pazvipiriso zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti zviyananisire vanhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Vanhu vose venyika vachabatirana pachipo ichi chakatsaurirwa kushandiswa nomuchinda muIsraeri. Richava basa romuchinda kuti auye nezvibayiro zvinopiswa, nezvezviyo nezvokunwa pamitambo yakatarwa, pakugara kwomwedzi napamaSabata, napamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri. Achauya nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvezviyo, nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti ayananisire imba yaIsraeri. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mumwedzi wokutanga pazuva rokutanga unofanira kutora hando duku isina kuremara ugonatsa nzvimbo tsvene. Muprista anofanira kutora rimwe reropa rechipiriso chechivi agoriisa pamagwatidziro emikova yetemberi, pamakona mana omusara wapamusoro wearitari uye napambiru dzamasuo omuruvazhe rwomukati. Munofanira kuita zvimwe chetezvo pazuva rechinomwe romwedzi kuna ani zvake asina kutadza nobwoni kana nokusaziva; saka munofanira kuyananisira temberi. “ ‘Mumwedzi wokutanga pazuva regumi namana munofanira kucherechedza Pasika, mutambo unopedza mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso pamazuva iwayo. Pazuva iro, muchinda anofanira kuuya nehando sechipiriso chechivi chake iye nechavanhu vose venyika. Zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe aya oMutambo, anofanira kuuya nehando nomwe namakondohwe manomwe asina chaanopomerwa sechibayiro chinopiswa kuna Jehovha, nenhongo yembudzi yechipiriso chechivi. Anofanira kuuya nechipiriso chezviyo paefa imwe chete pahando imwe neimwe, uyewo efa pagondohwe rimwe nerimwe, pamwe chete nehinih yamafuta paefa imwe neimwe. “ ‘Pamazuva manomwe oMutambo, unotanga nomwedzi wechinomwe pazuva regumi namashanu, anofanira kuramba achiuya nezvipiriso zvezvivi, nezvibayiro zvinopiswa, nezvipiriso zvezviyo namafuta. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Suo roruvazhe rwomukati rakatarisa kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo basa, asi pazuva reSabata uye pazuva roKugara kwoMwedzi rinofanira kuzariwa. Muchinda anobva kunze anofanira kupinda napabiravira rapasuo agomira pambiru dzapasuo. Vaprista vanofanira kubayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chake chokuwadzana. Anofanira kunamata ari pachikumbaridzo chepasuo ipapo agobuda kunze, asi harifaniri kuzopfigwa kusvikira madekwana. Vanhu venyika vanofanira kunamata pamberi paJehovha vari pamukova wesuo pamaSabata napaKugara kwoMwedzi. Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata, chinofanira kuva chamakwayana matanhatu makono negondohwe, ose asina kuremara. Chipiriso chezviyo chinopiwa pamwe chete negondohwe chinofanira kuita efaa imwe chete, uye chipiriso chezviyo nemakwayana chinofanira kuva sezvaanoda, pamwe chete nehinib yamafuta paefa imwe neimwe. Pazuva roKugara kwoMwedzi anofanira kupa hando duku, makwayana matanhatu negondohwe, zvose zvisina kuremara. Iye anofanira kupa sechipiriso chezviyo efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondohwe, uye namakwayana paanoda kupa napo, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe. Panopinda muchinda, anofanira kupinda napabiravira rapanzira yesuo, uye anofanira kubuda nenzira imwe cheteyo. “ ‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira. Muchinda anofanira kuva pakati pavo, pavanopinda anofanira kupinda navo, napavanobuda anofanira kubuda navo. “ ‘Pamitambo napamitambo yakatarwa, chipiriso chezviyo chinofanira kuita efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondohwe, uye namakwayana sezvaanoda, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe. Kana muchinda achipa chipiriso chokungopa kuna Jehovha, chingava chipiriso chinopiswa kana chokuwadzana, suo rakatarisa kumabvazuva rinofanira kumuzarurirwa iye. Achapa chipiriso chake chinopiswa kana chipiriso chokuwadzana sezvaanoita nomusi weSabata. Ipapo anofanira kuzobuda kunze, uye shure kwokubuda kwake, suo richapfigwa. “ ‘Zuva rimwe nerimwe unofanira kupa gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara kuti rive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha; mangwanani oga oga unofanira kuuya naro. Unofanira kuuyawo nechipiriso chezviyo chine mugove wechitanhatu weefa, nechetatu chehini yamafuta okunyorovesa upfu, mangwanani oga oga. Kupiwa kwechipiriso ichi kuna Jehovha, mutemo unogara nokusingaperi. Saka gwayana nechipiriso chezviyo namafuta zvichafanira kuuyiwa nazvo mangwanani oga oga kuti zvive chipiriso chinopiswa nguva dzose. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muchinda achipa chipo chinobva panhaka yake kuno mumwe wavanakomana vake, chichavawo chezvizvarwa zvake zvinotevera, chichava chavo chenhaka. Kunyange zvakadaro, kana akapa chipo kubva panhaka yake kuno mumwe wavaranda vake, muranda uyu angachichengeta hake kusvikira pagore rokusununguka; ipapo chichadzoserwa kumuchinda. Nhaka yake ndeyavanakomana vake chete; ndeyavo. Muchinda haafaniri kutora nhaka ipi zvayo yavanhu, achivadzinga pazvinhu zvavo. Iye anofanira kupa vanakomana vake nhaka yavo inobva pane zvake, kuitira kuti vanhu vangu varege kuparadzaniswa nezvinhu zvavo.’ ” Ipapo murume uyu akandipinza napamukova uri parutivi pesuo rinoenda kumakamuri matsvene akatarisa kumusoro, akanga ari avaprista akandiratidza nzvimbo yakanga iri nechokumagumo kworutivi rwokumavirira. Akati kwandiri, “Iyi ndiyo nzvimbo ichabikirwa navaprista, chipiriso chemhosva nechipiriso chechivi nokubika chipiriso chezviyo, kuti varege kuzviuyisa kuruvazhe rwokunze zvaizoita kuti vanhu vanatswe.” Ipapo akandibudisa kuruvazhe rwokunze uye akanditungamirira tichitenderera makona arwo mana, uye akaona pakona imwe neimwe rumwe ruvazhe. Mukati mamakona mana oruvazhe rwokunze makanga muna mavazhe akakomberedzwa, akareba makubhiti makumi mana noupamhi hwaiva namakubhiti makumi matatu; ruvazhe rumwe norumwe mumakona mana aya rwakanga rwakaenzana. Kupoteredza mukati merimwe nerimwe ramavazhe mana aya makanga mune chidziro chamabwe, nenzvimbo dzechoto dzakavakwa dzakakomberedza pasi pechidziro. Iye akati kwandiri, “Idzi ndidzo dzimba dzokubikira dzichabikirwa zvibayiro zvavanhu navaya vanoshumira mutemberi.” Murume uyu akandidzosa pamukova wetemberi, ndikaona mvura yaibuda napasi pechikumbaridzo chetemberi kwakatarisa kumabvazuva, nokuti temberi yakanga yakatarira kumabvazuva. Mvura yakanga ichiyerera napasi nechezasi kwetemberi, nyasi kwearitari. Ipapo akandibudisa nokusuo rokumusoro akanditungamirira pakupoterera nechokunze kwesuo rokunze rakatarisana nokumabvazuva, uye mvura yaiyerera ichibva kurutivi rwezasi. Murume uyu akati achifamba akananga kurutivi rwokumabvazuva ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake, akayera makubhiti chiuru chimwe chetea ndokubva ipapo ondiyambutsa nomumvura yakanga yakadzika kusvika muzviziso zvamakumbo. Akayerazve chimwe chiuru chamakubhiti akandifambisa nomumvura yaisvika mumabvi. Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete akandiyambutsa nomumvura yaisvika muchiuno. Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete, asi iye zvino rwakanga rwava rwizi rwandakanga ndisingagoni kuyambuka, nokuti mvura yakanga yawanda uye yakanga yadzika zvokuti munhu angashambira mairi, rwizi rwakanga rusina munhu angaruyambuka. Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, unoona izvi here?” Ipapo akadzokera neni kumahombekombe orwizi. Ndakati ndasvikako ndakaona miti mizhinji kurutivi rumwe norumwe rworwizi. Iye akati kwandiri, “Mvura iyi inoyerera yakananga kunyika yokumabvazuva ichiburukira kuArabha kwainodira mugungwa. Painongodira mugungwa, mvura yomo inobva yanaka. Zvose zvipenyu zvinokambaira zvichagara kwose nokunoyerera rwizi. Pachava nehove zhinji zhinji, nokuti mvura iyi inoyereramo ichiita kuti mvura yomunyu inatswe; saka kwose kunoyerera rwizi zvinhu zvose zvinorarama. Varedzi vehove vachamira vakatevedza mahombekombe; kubvira kuEni Gedhi kusvikira kuEni Egiraimu kuchava nenzvimbo dzokuteya mumbure. Pachava nemhando zhinji dzehove, kufanana nehove dzeGungwa Guru. Asi matoro namachakwi haangavi nemvura yakanaka; zvichasarira munyu. Miti yemichero yemarudzi ose ichamera kumativi ose emahombekombe orwizi. Mashizha ayo haangasvavi, uye haingashayi michero. Ichabereka zvibereko mwedzi woga woga, nokuti mvura inobva panzvimbo tsvene inoyerera madziri. Michero yayo ichava zvokudya zvavanhu uye mashizha ayo achaporesa vanhu. Zvanzi naIshe Jehovha, “Iyi ndiyo miganhu yaunofanira kuganhura nyika kuti ive nhaka pakati pamarudzi gumi namaviri aIsraeri, nemigove miviri yaJosefa. Unofanira kuiganhura zvakaenzana pakati pavo. Nokuti ndakapika noruoko rwakasimudzwa kuti ndichaipa kumadzitateguru enyu, nyika iyi ichava nhaka yenyu. “Iyi ndiyo inofanira kuva miganhu yenyika: “Kurutivi rwokumusoro uchabvira kuGungwa Guru nenzira yeHetironi uchipfuura nepaRebho Hamati kusvikira kuZedhadhi, Bherota neSibhiraimu (iri pamuganhu weDhamasiko neHamati), kusvika kuHazeri Hatikoni riri pamuganhu weHaurani. Muganhu uchaenda uchibva kugungwa uchindosvika kuHazari Enani, uchitevedza muganhu nokumusoro kweDhamasiko, nomuganhu weHamati kumusoro. Ndiwo uchava muganhu wokumusoro. “Kurutivi rwokumabvazuva muganhu uchava pakati peHaurani neDhamasiko, uchitevedza Jorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsraeri, kusvikira kugungwa rokumabvazuva uye uchindosvika kuTamari. Ndiwo uchava muganhu wokumabvazuva. “Kurutivi rwezasi, uchabvira paTamari uchindosvika kumvura yeMeribha Kadheshi, ipapo wogotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Uyu ndiwo uchava muganhu wezasi. “Kurutivi rwokumavirira, Gungwa Guru richava muganhu kusvikira pakatarisana neRebho Hamati. Uyu ndiwo uchava muganhu wokumavirira. “Munofanira kugovana nyika iyi pakati penyu zvakaenzanirana namarudzi aIsraeri. “Munofanira kugovana senhaka yenyu uye mugogoverawo vatorwa vagere pakati penyu vane vana. Munofanira kuvarangarira savaIsraeri vakaberekwa munyika ino; vanofanira kugoverwa nhaka pamwe chete nemi pakati pamarudzi aIsraeri. Murudzi rupi norupi mugere mutorwa, munofanira kumupa nhaka yake imomo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Aya ndiwo marudzi akanyorwa, namazita awo: kurutivi rwokumuganhu wokumusoro, Dhani achava nomugove mumwe chete; uchange uchitevedza mugwagwa weHetironi kusvika kuRebho Hamati; Hazari Enani nomuganhu wokumusoro kweDhamasiko, pedyo neHamati, zvichava chikamu chomuganhu wavo unobva kurutivi rwokumabvazuva kusvikira kurutivi rwokumavirira. “Asheri achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaDhani kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. “Nafutari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaAsheri kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. “Manase achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaNafutari kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. “Efuremu achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaManase kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. “Rubheni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaEfuremu kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. “Judha achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaRubheni kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. “Kubva pamuganhu wenyika yaJudha zvichibvira kumabvazuva kusvikira kumavirira, uchava mugove wamuchapa sechipo chakatsaurwa. Uchava namakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanua paupamhi uye kureba kwawo kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira kuchaenzana nomugove worudzi rumwe, nzvimbo tsvene ichava pakati payo. “Mugove wakatsaurwa wamunofanira kupa kuna Jehovha unofanira kureba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu, nezviuru gumib paupamhi. Uyu ndiwo uchava mugove mutsvene wavaprista. Uchareba makubhiti makumi maviri namashanu ezviuru nechokurutivi rwokumusoro, nezviuru gumi zvamakubhiti paupamhi kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru gumi paupamhi kurutivi rwokumabvazuva nezviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti pakureba kurutivi rwezasi. Pakati payo pachava nenzvimbo tsvene yaJehovha. Iyi ichava yavaprista vakaitwa vatsvene, ivo vaZadhoki, vakanga vakatendeka pakundishumira uye vasina kutsauka sezvakaitwa navaRevhi panguva yakatsauka vaIsraeri. Ichava chipo chakatsaurwa kwavari kubva pamugove wakatsaurwa wenyika, iwo mugove mutsvenetsvene, unoganhura nyika yavaRevhi. “VaRevhi vachava nomugove wamakubhiti akareba makumi maviri namashanu ezviuru nezviuru gumi paupamhi, zvichienderana nenyika yavaprista. Kureba kwayo kunofanira kuita makubhiti zviuru gumi. Havafaniri kuitengesa kana kutsinhanisa chimwe chikamu chayo. Iyi inyika yakanakisisa uye haifaniri kuiswa mumaoko avamwe vanhu, nokuti itsvene kuna Jehovha. “Nzvimbo dzakasara, dzina makubhiti zviuru zvishanu paupamhi namakubhiti zviuru makumi maviri namashanu pakureba, dzichashandiswa neguta, sepokugara namafuro. Guta richava pakati pazvo uye richava nezviyero izvi: kurutivi rwokumusoro makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, kurutivi rwezasi makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, kurutivi rwokumabvazuva, makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, uye kurutivi rwokumavirira, makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu. Nzvimbo yamafuro yeguta ichange ina makubhiti mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumusoro, mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwezasi, mazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumabvazuva, namazana maviri namakumi mashanu kurutivi rwokumavirira. Nzvimbo inosara, inoganhurana nenzvimbo yomugove mutsvene ichitevedza kureba kwayo, ichava namakubhiti zviuru gumi kurutivi rwokumabvazuva, namakubhiti zviuru gumi kurutivi rwokumavirira. Zvibereko zvayo zvichapiwa kuti zvive zvokudya zvavashandi vomuguta. Vashandi vanobva muguta vanoirima vachabva kumarudzi ose eIsraeri. Mugove wacho wose uchava wakaenzana kumativi ose, makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kurutivi rumwe norumwe rwamativi ose ari mana. Sechipo chakasarudzika, muchatsaurira parutivi mugove mutsvene, pamwe chete nenzvimbo yeguta. “Zvinosara kumativi maviri enzvimbo echikamu chitsvene, uye enzvimbo yeguta, zvichava zvomuchinda. Zvichaenda nechokumabvazuva zvichibva pazviuru makumi maviri nezvishanu zvamakubhiti zvomugove mutsvene kundosvika kumuganhu wokurutivi rwokumabvazuva, uye nokurutivi rwokumavirira kubva pamakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu kusvikira kumuganhu wokumavirira. Nzvimbo idzi dziri mbiri dzakaenzana nemigove yamarudzi pakureba dzichava dzomuchinda, uye mugove mutsvene nenzvimbo tsvene yetemberi zvichava pakati pazvo. Saka nzvimbo yavaRevhi nenzvimbo yeguta zvichange zviri pakati penzvimbo yomuchinda. Nzvimbo yomuchinda ichange iri pakati pomuganhu weJudha nomuganhu waBhenjamini. “Kana ari mamwe marudzi asara: Bhenjamini achava nomugove mumwe chete: Uchabva kurutivi rwokumabvazuva uchindosvika kurutivi rwokumavirira. “Simeoni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaBhenjamini kubva kumabvazuva kusvika kumavirira. “Isakari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaSimeoni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira. “Zebhuruni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaIsakari kubva kumabvazuva kusvika kumavirira. “Gadhi achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaZebhuruni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira. “Muganhu worutivi rwezasi waGadhi uchananga kurutivi rwezasi uchibva kuTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribha Kadheshi, ipapo wozotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. “Iyi ndiyo nyika yaunofanira kugovera senhaka kumarudzi aIsraeri, uye iyi ndiyo ichava migove yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Aya achava masuo okubuda nawo eguta: Kutangira kurutivi rwokumusoro, kureba kwacho kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu, masuo eguta achatumidzwa mazita amarudzi aIsraeri. Masuo matatu ari kurutivi rwokumusoro achava suo raRubheni, suo raJudha nesuo raRevhi. “Kurutivi rwokumabvazuva, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raJosefa, suo raBhenjamini nesuo raDhani. “Kurutivi rwezasi, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raSimeoni, suo raIsakari nesuo raZebhuruni. “Kurutivi rwokumavirira, kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu pakureba, masuo matatu achamira sezvizvi: suo raGadhi, suo raAsheri nesuo raNafutari. “Kutenderera nzvimbo yacho kuchaita nhambwe zviuru gumi nezvisere. “Uye zita reguta kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi richanzi: JEHOVHA ARIPO.” Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimi mambo weJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuJerusarema ndokurikomba. Uye Ishe akaisa Jehoyakimi mambo weJudha muruoko rwake, pamwe chete nemimwe midziyo yaibva mutemberi yaMwari. Akatakura izvi akaenda nazvo kutemberi yamwari wake kuBhabhironi ndokuzviisa muimba yepfuma yamwari wake. Ipapo mambo akarayira Ashipenazi, mukuru wavatariri veruvazhe, kuti apinze vamwe vavaIsraeri vanobva mumhuri youshe namakurukota, majaya asina chinongo pamuviri yavo, vakanaka, vanoratidza njere padzidzo yose, vanokurumidza kunzwisisa, uye vakakodzera kushumira, mumuzinda wamambo. Aizovadzidzisa mutauro namagwaro avaBhabhironi. Mambo akarayira kuti vapiwe zvokudya zvezuva rimwe nerimwe newaini yaibva patafura yamambo. kwamakore matatu, uye shure kwaizvozvo vaizopinda paushumiri hwamambo. Pakati pavo paiva navamwe vaibva kuJudha vaiti: Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria. Vakuru vamachinda vakavatumidza mazita matsva sezvinotevera: Dhanieri vakamupa zita rokuti Bheriteshezari; Hanania akanzi Shadhireki; Mishaeri akanzi Meshaki; uye Azaria akanzi Abhedhinego. Asi Dhanieri akazvisunga mumwoyo make kuti arege kuzvisvibisa nezvokudya zvamambo newaini yake, uye akakumbira mukuru wamachinda mvumo yokuti arege kuzvisvibisa nenzira iyi. Zvino Mwari akanga aita kuti muchinda aitire Dhanieri nyasha nengoni, asi muchinda akaudza Dhanieri kuti, “Ndinotya ishe wangu mambo, anova ndiye akarayira zvamunofanira kudya nokunwa. Achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamamwe majaya ezera renyu? Mambo achaita kuti musoro wangu udimurwe nokuda kwenyu.” Ipapo Dhanieri akati kumurindi akanga anzi nomubati mukuru achengete Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria, “Ndapota edzai henyu varanda venyu kwamazuva gumi. Regai henyu kutipa chimwe chinhu asi tipei muriwo tidye uye nemvura yokunwa chete. Ipapo mugoenzanisa zviso zvedu nezvamajaya anodya zvokudya zvamambo mugobata varanda venyu samaonero enyu.” Saka akatenda hake pana izvozvi ndokuvaedza kwamazuva gumi. Mazuva gumi akati apera, ivo vakaratidza kuva noutano hwakagwinya uye nemiviri yakanaka kupinda majaya akadya zvokudya zvamambo. Saka murindi akabvisa zvokudya zvakasarudzika newaini yavaifanira kunwa ndokuvapa muriwo pachinzvimbo chazvo. Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose. Mazuva akatarwa namambo kuti vapinde akati apera, mukuru wamachinda akavaisa kuna Nebhukadhinezari. Mambo akataura navo, uye akasawana mumwe zvake akanga akaenzana navana Dhanieri, naHanania, naMishaeri naAzaria; saka vakapinda kuti vandoshandira mambo. Pazvinhu zvose zvouchenjeri nokunzwisisa pamusoro pezvose zvaibvunzwa namambo, akavawana vachipfuura kagumi n'anga dzose navanhu vose muumambo hwose. Uye Dhanieri akagaramo kusvikira gore rokutonga raMambo Sirasi. Mugore rechipiri rokutonga kwake, Nebhukadhinezari akarota hope; pfungwa dzake dzikashushikana uye akashaya hope. Saka mambo akarayira n'anga, navanofarira mazango, navaroyi, navafemberi vezvenyeredzi kuti vamuudze zvaakanga arota. Vakati vapinda vakamira pamberi pamambo, iye akati kwavari, “Ndakarota hope dzinonditambudza zvino ndinoda kuziva zvadzinoreva.” Ipapo vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo norurimi rwavaAramu vachiti, “Haiwa mambo, raramai nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigodudzira.” Mambo akapindura vachenjeri vezvenyeredzi achiti, “Izvi ndizvo zvandafunga chaizvoizvo: Kana imi mukasandiudza kuti kurota kwangu kwaiva kupi uye mukadudzira, ndichaita kuti mugurwegurwe uye dzimba dzenyu dziitwe mirwi yamarara. Asi kana mukandiudza zvandakarota mukazvidudzira, muchagamuchira zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru zvinobva kwandiri. Saka ndiudzei chiroto mugochidudzira kwandiri.” Ivo vakapindurazve vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake chiroto, uye isu tichachidudzira.” Ipapo mambo akapindura akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongoda kuwedzera nguva, nokuti munoziva kuti izvi ndizvo zvandatema: Kana musingandiudzi zvandarota, panongova nechirango chimwe chete. Imi makarangana kundiudza zvinhu zvinonyengera uye zvakaipa, muchifunga kuti zvinhu zvichashanduka. Saka zvino, ndiudzei zvandakarota, ndigoziva kuti muchagona kundidudzira chiroto.” Vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo vachiti, “Hakuna munhu panyika angagona kuita zvinodiwa namambo! Hakuna mambo, kunyange mukuru uye kana ane simba, akambotsvaka chinhu chakadai kun'anga ipi zvayo kana vaya vanoda zvamazango kana vachenjeri vezvenyeredzi. Zvinhu zvinodikanwa namambo zvakaoma kwazvo. Hakuna munhu angazvizivisa kuna mambo izvozvo kunze kwavamwari, uye vasingagari pakati pavanhu.” Izvi zvakaita kuti mambo ashatirwe zvikuru uye akava nehasha zvokuti akarayira kuti vakachenjera vose veBhabhironi vaurayiwe. Saka chirevo chakapiwa kuti vachenjeri vaurayiwe, uye varume vakatumwa kundotsvaka Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwewo. Arioki, mukuru wavarindi vamambo, akati abudisa kundouraya vachenjeri veBhabhironi, Dhanieri akataura kwaari nouchenjeri uye nokungwara. Iye akabvunza muchinda wamambo achiti, “Seiko mambo akatema chirevo chakadai?” Arioki akatsanangurira Dhanieri nyaya yacho. Nokudaro, Dhanieri akapinda kuna mambo akandokumbira nguva kwaari, kuitira kuti agomududzira chiroto chiya. Ipapo Dhanieri akadzokera kumba kwake akandotsanangurira nyaya yacho kushamwari dzake vana Hanania, naMishaeri naAzaria. Akavakurudzira kuti vakumbire nyasha kubva kuna Mwari wokudenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuitira kuti iye neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete navakachenjera veBhabhironi. Chakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga akati, “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperiperi; uchenjeri nesimba ndezvake. Iye anoshandura nguva nenhambo; ndiye anogadza madzimambo nokuabvisa. Anopa uchenjeri kuna vakachenjera nezivo kuna vanonzvera. Anozarura zvakadzika nezvakavanzika, anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara maari. Ndinokuvongai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu: Makandipa uchenjeri nesimba, makandizivisa zvatakakumbira kwamuri, makazivisa kwatiri kurota kwamambo.” Ipapo Dhanieri akaenda kuna Arioki, uya akanga agadzwa namambo kuti auraye varume vakachenjera veBhabhironi, akati kwaari, “Musauraya vachenjeri veBhabhironi. Ndiendesei kuna mambo, ndinomududzira zvaakarota.” Arioki akaenda naDhanieri kuna mambo nokukurumidza uye akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavakatapwa vokwaJudha anogona kuudza mambo zvinoreva chiroto chavo.” Mambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), “Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota nokuzvidudzira?” Dhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana n'anga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi: “Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakadzokera pazvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika. Asi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu. “Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho. Musoro wechifananidzo ichi wakanga wakaitwa negoridhe rakanatswa, chipfuva chacho namaoko zvakanga zviri zvesirivha; dumbu racho nezvidyiro zvaiva zvendarira, makumbo acho akanga ari esimbi, tsoka dzacho dzaiti pamwe simbi pamwe ivhu. Muchakatarisa, makaona ibwe richivezwa, asi kwete namaoko omunhu. Rakarova chifananidzo patsoka dzacho dzesimbi nevhu ndokuzvipwanya. Ipapo simbi, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa nenguva imwe cheteyo zvikaita sehundi iri paburiro panguva yechirimo. Mhepo yakazvikukura pakasava nechinhu chakasara. Asi ibwe riya rakarova chifananidzo rakazova gomo guru rikazadza nyika yose. “Uku ndiko kwaiva kurota kwenyu, uye zvino tichakududzira kwamuri mambo. Imi mambo, muri mambo wamadzimambo. Mwari wokudenga akakupai ushe nesimba noukuru nokubwinya, akaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe. “Shure kwenyu, humwe umambo huchamuka, huduku kuno hwenyu. Umambo hwechitatu huchatevera, umambo hwendarira, huchatonga pamusoro penyika yose. Pakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inoputsa nokupwanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvi huchapwanya nokuputsanya humwe hwose. Sezvamakaona kuti tsoka nezvigunwe zvakanga zvakavhenganiswa ivhu nesimbi, saizvozvo umambo uhu huchava hwakaganhurwa, asi huchava nerimwe simba resimbi mauri, sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu. Sezvo zvigunwe zvakanga zvakati pamwe simbi pamwe ivhu, saizvozvo umambo uhu huchava hwakasimba kuno rumwe rutivi uye husina kusimba kuno rumwe rutivi. Uye sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu, saizvozvo vanhu vachavhengana uye havangarambi vakabatana, sezvinoita ivhu nesimbi zvakavhengana. “Mumazuva amadzimambo ayo, Mwari wokudenga achagadza ushe husingazoparadzwi, uye hahungazombosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya ushe hwose nokugumiswa, asi ihwo huchagara nokusingaperi. Izvi ndizvo zvinoreva chiratidzo chedombo rakavezwa pagomo, asi kwete namaoko omunhu, dombo rakaputsa simbi, nendarira, nevhu, nesirivha negoridhe zvikati mwarara. “Mwari mukuru akaratidza mambo zvichaitika pamazuva anouya. Kurota uku ndokwechokwadi uye nedudziro yacho ndeyechokwadi.” Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake pamberi paDhanieri akamuremekedza akarayira kuti apiwe chipo nezvinonhuwira. Mambo akati kuna Dhanieri, “Zvirokwazvo Mwari wako ndiMwari wavamwari naIshe wamadzimambo uye nomuzivisi wezvakavanzika, nokuti iwe wakagona kuzivisa chakavanzika ichi.” Ipapo mambo akaisa Dhanieri pachinzvimbo chakakwirira akapa zvipo zvizhinji kwaari. Akamuita mutongi pamusoro penyika yose yeBhabhironi akamuita mukuru wavachenjeri vose. Pamusoro paizvozvo, Dhanieri akakumbira mambo kuti agadze vana Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego kuti vave vatariri vamatunhu eBhabhironi, iye Dhanieri pachake achiramba ari paruvazhe rwamambo. Mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chegoridhe, chakanga chakareba makubhiti makumi matanhatua uye makubhiti matanhatub paupamhi, akachimisa pabani reDhura munyika yeBhabhironi. Ipapo akadana machinda, navarayiri, namadzishe, navapi vamazano, navachenjeri vepfuma, navatongi, namakurukota edzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu kuti vauye kuzomukumikidza chifananidzo chaakanga amisa. Saka machinda, navarayiri, namadzishe, navapi vamazano, navachengeti vepfuma, navatongi, namakurukota edzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu vakaungana kuti vakumikidze chifananidzo chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari, vakamira pamberi pacho. Ipapo mushamarari akadanidzira zvikuru achiti, “Izvi ndizvo zvamunorayirwa kuti muite, imi vanhu, nemi ndudzi nemi vanhu vemitauro yose: Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, nenyere nomutopota norudimbwa nembira, namabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, munofanira kuwira pasi mugonamata chifananidzo chegoridhe chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari. Ani naani asingawiri pasi achinamata achakandirwa muvira romoto pakarepo.” Naizvozvo, pavakangonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira nemhando dzose dzezviridzwa, vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakawira pasi ndokunamata chifananidzo chegoridhe chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari.” Panguva iyi vamwe voruzivo nezvenyeredzi vakauya pamberi vakatuka vaJudha. Vakati kuna Mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Makatema chirevo imi mambo, kuti ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira namabhosvo uye nemhando dzose dzezviridzwa, anofanira kuwira pasi anamate chifananidzo chegoridhe, uye kuti ani naani asingawiri pasi akanamata achakandwa muvira romoto. Asi pana vamwe vaJudha vamakagadza pamusoro pamabasa enyika yeBhabhironi, Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, vasingatomboteereri imi mambo. Havamboshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” Nebhukadhinezari azere nehasha, akarayira kuti Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vauye. Saka varume ava vakauyiswa pamberi pamambo, Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vana Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa? Zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, namabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, kana mukagadzirira kuwira pasi, mukanamata chifanaidzo chandakaita, zvakanaka hazvo. Asi kana musingachinamati, muchakandwa mumoto pakarepo. Zvino mwari achakurwirai muruoko rwangu ndoupiko?” Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu nenyaya iyi. Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, naMeshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo. Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nengowani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto unopfuta kwazvo. Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, naMeshaki naAbhedhinego, uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo. Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vana mupazano vake achiti, “Ko, havazi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.” Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.” Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wechoto chomoto chinopfuta akadanidzira akati, “Nhai Shadhireki newe Meshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro budai. Uyai pano!” Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakabuda mumoto, uye machinda, navarayiri, navabati uye navanamupamazano vamambo vakavaunganira. Vakaona kuti moto wakanga usina kumbokuvadza miviri yavo, uye nebvudzi remisoro yavo harina kumbotsva; uye nguo dzavo hadzina kutsva, uye pakanga pasina kunhuwa kwomoto pavari. Ipapo Nebhukadhinezari akati, “Mwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! Ivo vakavimba naye vakazvidza murayiro wamambo uye vakazvipira kurasikirwa noupenyu hwavo pano kuti vashumire kana kunamata vamwari vapi zvavo kunze kwaMwari wavo. Naizvozvo ndinotema kuti vanhu vorudzi rupi kana mutauro upi zvawo vanotaura chinhu chipi zvacho chinopesana naMwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego vatemwe-temwe uye dzimba dzavo dziitwe madurunhuru amarara, nokuti hakuna mumwe mwari angaponesa nenzira iyi.” Ipapo mambo akasimudzira Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego munyika yeBhabhironi. Mambo Nebhukadhinezari, kuvanhu, nokundudzi navanhu vemitauro yose, vagere munyika yose: Budirirai zvikuru! Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro. Zviratidzo zvake zvikuru sei, zvishamiso zvake zvine simba sei! Umambo hwake umambo husingaperi; kubata kwake ushe hunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa. Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndiri mumba mumuzinda wangu, ndakanyatsogutsikana uye ndichinyatsobudirira. Ndakarota hope dzakandityisa. Pandakanga ndivete pamubhedha wangu, zvifananidzo nezviratidzo zvakapinda mupfungwa dzangu zvakandivhundutsa. Saka ndakarayira kuti varume vakachenjera veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu kuti vazondidudzira kurota uku. N'anga, navaya vanofarira mazango, navazivi vezvenyeredzi navafemberi vakati vauya, ndakavaudza kurota kwangu, asi havana kugona kundidudzira. Pakupedzisira, Dhanieri akauya pamberi pangu ndikamuudza kurota kwangu. (Ndiye anonzi Bheriteshazari, akapiwa zita ramwari wangu, uye mweya wavamwari vatsvene uri maari.) Ndakati, “Bheriteshazari, iwe mukuru wen'anga, ndinoziva kuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri, uye hakuna chakavanzika chinokuomera. Hezvi zvandakarota; chindidudzira. Hezvi zvandakaratidzwa, zvandakaona ndivete pamubhedha wangu: Ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pamire muti, uri pakati penyika. Kureba kwawo kwakanga kuri kukuru kwazvo. Muti wakakura ukasimba uye manhengenya awo aisvika kudenga; wakanga uchioneka kusvika kumigumo yenyika. Mashizha awo akanga akanaka, uye michero yawo yakawanda chose, uye pamusoro pawo pakanga pane zvokudya zvazvose. Mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, uye shiri dzedenga dzaimhara pamatavi awo; zvipenyu zvose zvaidya pauri. “Ndakaona muzviratidzo, ndakavata pamubhedha wangu, ndikatarisa, ipapo pamberi pangu pakanga pano mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga. Iye akadanidzira nenzwi guru achiti, ‘Temai muti uyu mugokwanhura matavi awo; pururai mashizha awo mugoparadzira michero yawo. Mhuka ngadzitize pasi pawo, neshiri ngadzibve pamatavi awo. Asi hunde nemidzi yawo, yacho zvakasungwa nesimbi nendarira, ngazvisare muvhu, muuswa hwesango. “ ‘Iye ngaanyoroveswe nedova rokudenga, uye ngaagare nemhuka pakati pemiti yenyika. Pfungwa dzake ngadzishandurwe kubva pane dzomunhu uye ngaapiwe pfungwa dzemhuka, kusvikira nguva nomwe dzamuperera. “ ‘Kutonga uku kwaziviswa navatumwa, vatsvene ndivo vareva zvakatongwa, kuitira kuti vapenyu vagoziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanoda anogadza pamusoro pavo munhu wapasipasi.’ “Ndiko kurota kwandakaita, ini Mambo Nebhukadhinezari. Zvino chindiudza, zvazvinoreva, iwe, Bheriteshazari, nokuti hakuna varume vakachenjera muushe hwangu vangagona kundidudzira. Asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri.” Ipapo Dhanieri (ndiyewo Bheriteshazari) akakatyamara zvikuru kwechinguva uye pfungwa dzake dzakamuvhundutsa. Saka mambo akati kwaari, “Bheriteshazari, kurota uku kana zvakunoreva ngakurege kukuvhundutsa.” Bheriteshazari akapindura achiti, “Ishe wangu, dai chete kurota uku kwareva vavengi venyu nedudziro yacho vadzivisi venyu! Muti wamakaona, wakakura uye ukasimba, una manhengenya awo anosvika kudenga, unoonekwa pasi pose, una mashizha akanaka nemichero mizhinji, uchipa zvokudya kuna vose, uchipa mumvuri kumhuka dzesango, uye nenzvimbo dzamatendere eshiri dzedenga pamatavi awo, imi, iyemi mambo, ndimi muti wacho! Mava mukuru uye mune simba; ukuru hwenyu hwakakura kusvika kudenga, uye ushe hwenyu hunosvika kumagumo enyika. “Imi, iyemi mambo, makaona mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti uyo muuparadze, asi musiye hunde, yakasungwa nesimbi nendarira, mukati mebundo resango, asi midzi yawo iri muvhu. Ngaanyoroveswe nedova redenga; ngaararame semhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzamuperera. “Uku ndiko kududzirwa kwazvo, imi mambo, ichi ndicho chirevo choWokumusoro-soro chapiwa pamusoro penyu, ishe wangu mambo: Muchadzingwa pakati pavanhu uye muchagara nemhuka dzesango; muchadya bundo semombe uye muchanyoroveswa nedova redenga. Nguva nomwe dzichakupfuurai kusvikira maziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani zvake waanenge ada. Zvakarayirwa kuti hunde yomuti nemidzi yawo zvirambe zviripo zvinoreva kuti umambo hwenyu huchavandudzwa pamuchayeuka kuti denga rinotonga. Naizvozvo, imi mambo, farirai mugogamuchira zvandinokurayirai: Fukidzai zvivi zvenyu nokuita zvakarurama, uye kuipa kwenyu nokuitira zvakanaka vanomanikidzwa. Zvimwe zvingaitika kuti ipapo kubudirira kwenyu kuchaenderera mberi.” Zvose izvi zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari. Shure kwemwedzi gumi nemiviri, panguva iyo mambo aifamba pamusoro peimba youshe hweBhabhironi, iye akati, “Ko, iri harizi Bhabhironi guru randakavaka sougaro hwoushe, nesimba rangu guru uye nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu here?” Mashoko akanga achiri mumuromo make pakauya inzwi richibva kudenga richiti, “Hezvino zvawatemerwa, iwe Mambo Nebhukadhinezari: Simba roumambo hwako rabviswa kwauri. Uchadzingwa pakati pavanhu uye uchagara nemhuka dzesango; uchadya uswa semombe. Nguva nomwe dzichakuperera kusvikira waziva kuti Wokumusoro-soro ndiye Ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anohupa kuna ani zvake waanenge ada.” Pakarepo, zvakanga zvarehwa pamusoro paNebhukadhinezari zvakazadzisika. Akadzingwa pakati pavanhu akafura uswa semombe. Muviri wake wakanyoroveswa nedova redenga kusvikira bvudzi rake rareba seminhenga yegondo uye nzara dzake dzafanana nedzeshiri. Nguva iyoyo yakati yapera, ini, Nebhukadhinezari, ndakasimudzira meso angu kudenga, uye pfungwa dzangu dzakavandudzwa. Ipapo ndakarumbidza Wokumusoro-soro; ndakamuremekedza uye ndikamukudza iye anogara nokusingaperi. Ushe hwake hahuperi; umambo hwake hunogara kubva kuchizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa. Vanhu vose venyika havana maturo. Iye anoita sezvaanoda namasimba okudenga uye navanhu venyika. Hakuna munhu angakonesa ruoko rwake kana kuti kwaari, “Waiteiko?” Panguva yacho iyoyo yakavandudzwa pfungwa dzangu, kukudzwa kwangu nokubwinya kwangu kwakadzorerwa kwandiri nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu. Vanamupamazano vangu namakurukota vakanditsvaka, uye ndakadzorerwazve pachigaro changu choushe ndikava mukuru kunyange kupfuura kare. Zvino ini Nebhukadhinezari, ndinorumbidza nokusimudzira nokukudza Mambo wokudenga, nokuti zvose zvaanoita zvakarurama uye nzira dzake dzose dzakarurama. Uye iye anogona kuninipisa vaya vanofamba mukuzvikudza. Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo. Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa naBaba vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye varongo vake vanwiremo. Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakamwira mairi. Pavakanga vachinwa waini, vakarumbidza vamwari vegoridhe nesirivha, nevendarira, simbi namatanda namabwe. Pakarepo minwe yoruoko rwomunhu yakaonekwa ikanyora pamadziro akanamwa, pedyo napachigadziko chomwenje mumuzinda wamambo. Mambo akatarisa chanza pachakanga chichinyora. Chiso chake chakashanduka akatsvukuruka uye akavhunduka zvikuru, mabvi ake akadedera uye makumbo ake akarukutika. Mambo akadana vaya vamazango, navanoziva zvenyeredzi navafemberi kuti vaunzwe ndokuti kuvarume ava vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani anoverenga runyoro urwo nokunditaurira zvarwunoreva achapfekedzwa nguo dzepepuru uye nouketani hwegoridhe mumutsipa wake, uye achaitwa mutongi wapamusoro-soro wechitatu muumambo.” Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi havana kugona kuverenga runyoro kana kutaurira mambo zvarwaireva. Saka Mambo Nebhukadhinezari akanyanya kutya uye uso hwake hukanyanya kutsvukuruka. Makurukota ake akakanganisika. Mambokadzi akati achinzwa inzwi ramambo namakurukota ake, akauya muimba yaiitirwa mabiko. Iye akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Musatya! Regai kutsvukuruka kuuso kwenyu! Muumambo hwenyu muno murume ano mweya wavamwari vatsvene maari. Panguva yababa venyu iye akawanikwa achigona zviri mberi nezivo nouchenjeri hwakafanana nohwavamwari. Mambo Nebhukadhinezari baba venyu, ndati baba venyu imi mambo, vakamugadza kuti ave mukuru wen'anga, navamazango, navazivi vezvenyeredzi navafemberi. Murume uyu Dhanieri, iye akatumidzwa kuti Bheriteshazari namambo, akawanikwa aine pfungwa dzine shungu nezivo nokunzwisisa, uye nokugona kududzira kurota, nokutsanangura zvirambwe nokupedza matambudziko. Daidzai Dhanieri, iyeye achakuudzai zvinoreva runyoro.” Saka Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo, mambo akati kwaari, “Ndiwe Dhanieri mumwe wavakatapwa nababa vangu mambo kubva kuJudha here? Ndanzwa kuti mweya wavamwari uri mauri uye kuti unoona zviri mberi, une zivo nouchenjeri hwapamusoro. Vachenjeri, navamazango vakauyiswa pamberi pangu kuti vazoverenga runyoro urwu nokundiudza zvarunoreva, asi havana kugona kunditsanangurira. Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro nokupedza matambudziko. Kana ukagona kuverenga runyoro nokunditaurira zvarunoreva, uchafukidzwa nguo yepepuru uye uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro poushe.” Ipapo Dhanieri akapindura mambo achiti, “Zvichengeterei henyu zvipo zvenyu uye mugopa mibayiro yenyu kuno mumwe. Kunyange zvakadaro hazvo ndichaverengera mambo runyoro nokumuudza zvarunoreva.” “Haiwa mambo, Mwari Wokumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe noukuru nokukudzwa nokubwinya. Nokuda kwechinzvimbo chakakwirira chaakamupa, vanhu vose nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakadedera vakamutya. Avo vaaida kuuraya, aiuraya, avo vaaida kuraramisa aivararamisa; avo vaaida kusimudzira, aisimudzira; uye avo vaaida kuninipisa, aininipisa. Asi mwoyo wake wakati wazvikudza uye waomeswa nokuzvikudza, akabviswa pachigaro chake choushe vakamutorera kukudzwa kwake. Akadzingwa pakati pavanhu akapiwa pfungwa yemhuka; akagara pakati pembizi akadya uswa semombe; uye muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anogadza pamusoro pavo ani zvake waanoda. “Asi imi mwanakomana wake, imi Bherishazari, hamuna kuzvininipisa, kunyange maiziva henyu chinhu ichi. Pamusoro pezvo imi makasarudza kurwa naishe wokudenga. Makaita kuti midziyo yegoridhe iuyiswe kwamuri ichibva kutemberi, uye imi namakurukota enyu, vakadzi venyu navarongo venyu makanwira waini mairi. Marumbidza vamwari vesirivha negoridhe, nendarira, nesimbi, namatanda namabwe, zvisingagoni kuona kana kunzwa kana kunzwisisa. Asi hamuna kukudza Mwari akabata muruoko rwake upenyu hwenyu nenzira dzenyu dzose. Naizvozvo akatumira ruoko rwakanyora zvakanyorwa. “Izvi ndizvo zvakanyorwa: MENE, MENE, TEKERE, UFASINI. “Hezvino zvinoreva mashoko aya: Mene: Mwari akaverenga mazuva okutonga kwenyu akaagumisa. Tekere: Makayerwa pachiyero mukawanikwa makareruka. Peresi: Umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa vaMedhia navaPezhia.” Ipapo Bherishazari akarayira kuti Dhanieri ashongedzwe nguo dzepepuru, ketani yegoridhe ikaiswa pamutsipa wake, zvikaziviswa kuti akange ava mutongi wapamusoro wechitatu muushe. Usiku ihwohwo Bherishazari, mambo wavaBhabhironi akaurayiwa, Dhariasi muMedhia akatora umambo, ana makore makumi matanhatu namaviri. Zvakafadza Dhariasi kugadza machinda zana namakumi maviri kuti vatonge muushe hwose, navakuru vatatu vaiva pamusoro pavo, mumwe wavo akanga ari Dhanieri. Machinda aiva pasi pavo kuitira kuti mambo arege kurasikirwa. Zvino Dhanieri akagona akakunda vakuru namachinda mumaitiro ake aishamisa zvokuti mambo akaronga kumugadza kuti ave pamusoro poumambo hwose. Ipapo, vakuru namachinda vakaedza kutsvaka mhosva yavangapomera Dhanieri pamusoro pokufambisa kwake mabasa ehurumende, asi havana chavakagona kuwana. Havana kuwana uori maari, nokuti akanga akatendeka uye pasina uori kana kushaya hanya maari. Pakupedzisira varume ava vakati, “Hatingambowani hwaro hwokupomera Dhanieri mhosva kunze kwechinhu chine chokuita nezvomurayiro waMwari wake.” Saka vakuru namachinda vakaenda vose pamwe chete kuna mambo vakandoti, “Haiwa Mambo Dhariasi, raramai nokusingaperi! Vakuru voushe vatariri, machinda, navapangi vamazano uye vabati vakatenderana vose kuti mambo ngaateme chirevo nokusimbisa chirevo kuti ani naani anonyengetera kuna mwari upi zvake kana munhu pakati pamazuva makumi matatu, kunze kwokwamuri imi mambo, achakandwa mugomba reshumba. Zvino, imi mambo isai chirevo uye muchinyore kuitira chirege kushandurwa zvinoenderana nemirayiro yavaMedhia navaPezhia, usingagoni kushandurwa.” Saka Mambo Dhariasi akanyora chirevo. Zvino Dhanieri akati anzwa kuti chirevo chakanga chaziviswa, akaenda muimba yake yapamusoro yaiva namawindo akanga akatarira kuJerusarema. Akapfugama namabvi ake akanyengetera katatu pazuva, achivonga kuna Mwari wake, sezvaaisiita. Ipapo varume ava vakaenda vose pamwe chete vakawana Dhanieri achinyengetera, achikumbira kubatsirwa naMwari. Saka vakaenda kuna mambo vakataura naye pamusoro pechirevo chake choushe vachiti, “Ko, hamuna kuzivisa here chirevo chokuti pakati pamazuva makumi matatu anotevera, ani naani anonyengetera kuna mwari kana munhu upi kunze kwokwamuri, imi mambo, achakandwa mugomba reshumba?” Mambo akapindura akati, “Chirevo chakadaro chiripo, chinoenderana nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, usingagoni kushandurwa.” Ipapo vakati kuna mambo, “Dhanieri, mumwe wavakatapwa vakabva Judha, haakuteererei, imi mambo, kana kuchirevo chamakatema norunyoro rwenyu. Achiri kunyengetera katatu pazuva.” Mambo akati anzwa izvi, akatambudzika zvikuru; akanga achida kurwira Dhanieri uye akaedza nzira dzose dzokumuponesa kusvikira kwadoka. Ipapo varume vakaenda vose pamwe chete kuna mambo vakati kwaari, “Rangarirai imi mambo, kuti maererano nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, hakuna chirevo kana mutemo unopiwa namambo unogona kushandurwa.” Saka mambo akarayira, akauyisa Dhanieri ndokumukanda mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Mwari wako, waunoramba uchishumira, ngaakurwire!” Vakauyisa ibwe vakariisa pamusoro pomuromo wegomba, mambo ndokurisimbisa nechidhindo chake uye nezvidhindo zvamakurukota ake, kuitira kuti mamiriro aDhanieri arege kushandurwa. Ipapo mambo akadzokera kumuzinda wake akavata usiku hwose asina kudya uye hakuna chinhu chipi chaivaraidza chakauyiswa kwaari. Uye akashayiwa hope. Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba. Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?” Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivirira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.” Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake. Mambo akarayira kuti varume vakanga vapomera Dhanieri varwiswe, uye kuti vakandwe mugomba reshumba, pamwe chete navakadzi vavo navana vavo. Uye vasati vasvika pasi pegomba, shumba dzakavakurira dzikapwanya mapfupa avo ose. Ipapo Mambo Dhariasi akanyorera vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose panyika yose achiti, “Mubudirire zvikuru kwazvo! “Ndinotema chirevo chokuti munzvimbo dzose dzoushe hwangu vanhu vanofanira kutya nokuremekedza Mwari waDhanieri. “Nokuti ndiye Mwari mupenyu uye anogara nokusingaperi; umambo hwake hahungaparadzwi, ushe hwake hahutongogumi. Anorwira uye anoponesa; anoita zviratidzo nezvishamiso mudenga napamusoro penyika. Akarwira Dhanieri pasimba reshumba.” Saka Dhanieri akabudirira pamazuva okutonga kwaDhariasi nokutonga kwaSirasi muPezhia. Mugore rokutanga ramambo Bherishazari, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope, uye akaona zviratidzo mumusoro make paakanga avete pamubhedha wake. Akanyora muchidimbu, zvose zvaakarota. Dhanieri akati, “Pachiratidzo changu usiku, ndakatarira, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhepo ina dzokudenga dzaibvongodza gungwa guru. Mhuka huru ina, dzisina kufanana dzakabuda mugungwa. “Yokutanga yakanga yakaita seshumba, uye yakanga ina mapapiro egondo. Ndakatarisa kusvikira mapapiro ayo abviswa uye ikasimudzwa kubva pasi zvokuti yakamira namakumbo maviri somunhu, uye yakapiwa mwoyo womunhu. “Uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechipiri, yakanga yakafanana nebere. Yakanga yakasimudzwa kuno rumwe rutivi rwayo, uye yakanga yakaruma mbabvu nhatu mumuromo mayo. Yakanzi, ‘Simuka udye nyama yako ugute!’ “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa, uye hapo pamberi pangu pakanga pane imwe mhuka, yakanga yakafanana neingwe. Uye yakanga ina mapapiro mana akaita seeshiri kumusana kwayo. Mhuka iyi yakanga ine misoro mina, uye yakapiwa simba rokutonga. “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa muchiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechina, yaityisa uye yaivhundutsa, uye ine simba guru. Yakanga ina meno makuru esimbi; yakapwanya ikadya nyama yayo uye ikatsikatsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. Yakanga yakasiyana nedzimwe mhuka dzose dzakare, uye yakanga ine nyanga gumi. “Ndichiri kufunga pamusoro penyanga, hapo pamberi pangu pakanga pava norumwe runyanga, ruduku rwakabuda pakati padzo; uye dzimwe nyanga nhatu dzokutanga dzakadzurwa pamberi parwo. Runyanga urwu rwakanga runa meso akafanana nameso omunhu uye nomuromo waitaura zvokuzvikudza. “Ndichakatarisa, zvigaro zvoushe zvakagadzikwa, uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake. Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando; bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru. Chigaro chake chainganduma nomoto, uye mavhiri acho ose aipfuta. Rwizi rwomoto rwaiyerera, ruchibuda pamberi pake. Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira; zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake. Dare rakagara pasi, mabhuku ndokuzarurwa. “Ipapo ndakaramba ndakatarira nokuda kwamashoko okuzvikudza akanga achitaurwa norunyanga. Ndakaramba ndakatarira kusvikira mhuka iyi yaurayiwa uye muviri wayo waparadzwa ikakandwa mumoto waipfuta. Kana dziri dzimwe mhuka dzakanga dzatorerwa simba radzo, asi dzakatenderwa kurarama kwechinguva. “Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake. Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingazongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi. “Ini Dhanieri ndakatambudzika mumweya wangu, uye zviratidzo zvakasvika mumusoro mangu zvakanditambudza. Ndakaenda kuno mumwe wavakanga vakamirapo ndikamubvunza chaizvo zvaireva izvi zvose. “Saka akandiudza ndokundidudzira zvinhu izvi, achiti, ‘Mhuka huru ina ndidzo umambo huna huchamuka panyika. Asi vatsvene voWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’ “Ipapo ndakada kuziva chokwadi chezvinoreva mhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose uye yaityisa kwazvo, namazino ayo esimbi nenzara dzendarira, mhuka yakapwanya ikadya nyama uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. Ndakadawo kuziva pamusoro penyanga gumi dzakanga dziri pamusoro wayo uye napamusoro porumwe runyanga rwuya rwakabuda, dzimwe dzacho nhatu dzikawa pamberi payo, runyanga rwuya rwainyanya kuva nomukundo kupfuura dzimwe, uye rwakanga runa meso uye nomuromo waitaura mashoko okuzvikudza. Ndichakatarisa, runyanga urwu rwakanga ruchirwa hondo navatsvene ruchivakunda, kusvikira Iye Wamazuva Akare asvika akaruramisira vatsvene voWokumusoro-soro, uye nguva ikasvika yavakatora umambo. “Akandipa tsananguro iyi achiti, ‘Mhuka yechina ndiyo umambo hwechina huchaonekwa panyika. Huchasiyana nohumwe umambo uye huchaparadza nyika yose, huchiitsikirira pasi nokuiparadza. Nyanga gumi ndidzo madzimambo gumi achabva kuumambo uhu. Shure kwavo kuchamuka mumwe mambo, akasiyana navaya vokutanga; achakunda madzimambo matatu. Iye achataura zvinorwisana noWokumusoro-soro achimanikidza vatsvene, uye achaedza kushandura nguva dzakatarwa nemirayiro. Vatsvene vachaiswa kwaari kwechinguva, nedzimwe nguva nehafu yenguva. “ ‘Asi dare richagara, uye simba rake richatorwa rigoparadzwa zvachose nokusingaperi. Ipapo simba roumambo, simba noukuru hwoumambo pasi pedenga rose richapiwa kuvatsvene, ivo vanhu voWokumusoro-soro. Umambo hwake huchava hwokusingaperi, uye vatongi vose vachamunamata nokumuteerera iye.’ “Aya ndiwo magumo enyaya. Ini, Dhanieri, ndakatambudzika zvikuru nepfungwa dzangu, uye uso hwangu hwakatsvukuruka, asi ndakachengeta nyaya iyi mumwoyo mangu.” Mugore rechitatu rokutonga kwaMambo Bherishazari, ini, Dhanieri, ndakaona nechiratidzo, shure kwechimwe chandakanga ndamboona kare. Muchiratidzo changu, ndakazviona ndiri munhare yeShushani munyika yeEramu, muchiratidzo imomo, ndakanga ndiri parutivi rwoMugero weUrai. Ndakatarisa kumusoro, ndokuona hapo pamberi pangu pakanga pane gondohwe raiva nenyanga mbiri, rakamira parutivi rwomugero, uye nyanga dzacho dzakanga dzakareba. Rumwe runyanga rwakanga rwakareba kupfuura rumwe asi ndirwo rwakamera mumashure. Ndakatarira gondohwe parakanga richitunga rakananga kumavirira nokumusoro nezasi. Hakuna mhuka yaigona kumisidzana naro, uye hakuna aigona kununura kubva pasimba raro. Raiita zvaraida uye rikava guru. Ndakati ndichifunga pamusoro peizvi, pakarepo nhongo yakanga ine runyanga rukuru pakati pameso ayo yakabva kumavirira, ichidarika napanyika yose isingatsiki pasi. Yakauya yakananga kugondohwe raiva nenyanga mbiri randakanga ndaona rimire parutivi rwomugero ndokuritunga zvine hasha kwazvo. Ndakaiona ichirwisa gondohwe nehasha kwazvo, ikaritunga ndokuvhuna nyanga dzaro mbiri. Gondohwe rakanga risina simba rokurwisana nayo; nhongo yakariwisira pasi ikaritsika-tsika, uye hakuna akagona kununura gondohwe pasimba rayo. Nhongo yakava huru kwazvo, asi yakati yasimba kwazvo, runyanga rwayo rukuru rwakavhunika, uye panzvimbo yarwo pakamera dzimwe nyanga ina dzakasimba dzakananga kumhepo ina dzokudenga. Pano rumwe runyanga pakabuda rumwe runyanga, rwakatanga rwuri ruduku asi rwakakura musimba kurutivi rwezasi uye nechokumabvazuva uye. Rwakananga kuNyika Yakaisvonaka. Rwakakura kusvikira rwasvika kuhando dzokudenga, uye rukakanda dzimwe nyeredzi panyika pasi ndokudzitsika-tsika. Rwakazvikudza kuti rukure soMuchinda wehondo, rwakabvisa zvibayiro zvezuva nezuva kubva kwaari, uye nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputsirwa pasi. Nokuda kwokumukira, hondo yavatsvene uye chibayiro chamazuva ose zvakapiwa kwarwuri. Rwakabudirira pane zvose zvarwaiita, uye chokwadi chikakandirwa pasi. Ipapo ndakanzwa mumwe mutsvene achitaura, uye mumwe mutsvene akati kwaari, “Zvichatora nguva yakadini kuti chiratidzo chizadziswe, chiratidzo pamusoro pechibayiro chamazuva ose, kumukira kunokonzera kuparadzwa, uye kusiyiwa kwenzvimbo tsvene nehondo zvichatsikwa-tsikwa pasi petsoka?” Akati kwandiri, “Zvichatora madekwana namangwanai ane zviuru zviviri zvina mazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswazve.” Ini, Dhanieri, pandakanga ndichakatarira chiratidzo ndichiedza kuchinzwisisa, ndakaona hapo pamberi pangu mumwe akanga achitarisika somunhu. Uye ndakanzwa inzwi romunhu richibva kuUrai richidana richiti, “Gabhurieri, taurira munhu uyu zvinoreva chiratidzo.” Paakaswedera panzvimbo yandakanga ndimire, ndakatya ndikawira pasi nechiso changu. Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, nzwisisa kuti chiratidzo ichi ndechenguva yokupedzisira.” Paakanga achataura neni, ndakabatwa nehope huru kwazvo, chiso changu chakatarira pasi. Ipapo akandibata akandisimudza ndikamira netsoka dzangu. Akati, “Ndichakuzivisa zvichaitika pakupedzisira munguva yehasha, nokuti chiratidzo ndechenguva yakatarwa yokupedzisira. Gondohwe rine nyanga rawakaona rinomirira madzimambo eMedhia nePezhia. Nhongo ine mvere dzakamvirinyinyika ndiyo mambo weGirisi, uye runyanga rukuru rwuri pakati pameso ndiyo mambo wokutanga. Nyanga ina dzakatsiva ruya rwakavhunuka dzinomirira ushe una huchabuda murudzi rwake asi hahuzovi nesimba rakaenzana. “Panguva yokupedzisira yokutonga kwavo, vapanduki pavachanyanya kuipa, mambo ane chiso chakaomarara, mukuru wouipi, achamuka. Achava nesimba kwazvo, asi risiri simba rake chairo. Achakonzera kuparadzwa kunoshamisa uye achabudirira pane zvose zvaanoita. Achaparadza varume vane simba navanhu vatsvene. Achaita kuti kunyengera kubudirire, uye achazviona somunhu wapamusoro. Achaparadza vazhinji, pavanofunga kuti vagarika ndokumukiravo Muchinda wamachinda. Asi zvazvo achazoparadzwa, asi kwete nesimba romunhu. “Chiratidzo chamadekwana nechamagwanaani chakapiwa kwauri ndechechokwadi, asi vanza chiratidzo icho, nokuti ndechenguva inouya.” Ini, Dhanieri, ndakapera simba ndikarwara kwamazuva mazhinji. Ipapo ndakamuka hangu ndikandobata basa ramambo. Ndakatyiswa nechiratidzo; chakanga chisinganzwisisike. Mugore rokutanga raDhariasi mwanakomana waAhasuerasi (chizvarwa cheMedhia), uyo akaitwa mutongi pamusoro poumambo hwavaBhabhironi, mugore rokutanga rokutonga kwake, ini Dhanieri, ndakanzwisisa kubva muMagwaro, sezvakataura shoko raJehovha rakapiwa kuna Jeremia muprofita, kuti Jerusarema richagara riri dongo kwamakore makumi manomwe. Saka ndakatendeukira kuna Ishe Mwari ndikamukumbira mukunyengetera nokuteterera, ndichitsanya, uye ndikafuka nguo dzamasaga namadota. Ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu ndikareurura ndichiti, “Haiwa Ishe, Mwari mukuru anotyisa, iye anochengeta sungano yake yorudo navose vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake, takatadza tikaita zvakaipa. Takaita zvinhu zvakaipa uye takakumukirai; takatsauka tikava kure nemitemo nemirayiro yenyu. Hatina kuteerera varanda venyu vaprofita, vakataura muzita renyu kumadzimambo, machinda edu namadzibaba edu, uye nokuvanhu vose venyika. “Ishe, imi makarurama, asi nhasi takafukidzwa nenyadzi, vanhu veJudha navanhu veJerusarema navaIsraeri vose, vari pedyo navose vari kure, munyika dzose kwamakatiparadzira nokuda kwokusatendeka kwedu kwamuri. Haiwa Jehovha, isu namadzimambo edu, machinda edu namadzibaba edu takafukidzwa nenyadzi nokuti takakutadzirai. Ishe Mwari wedu ndiye ane ngoni uye anokanganwira, kunyange dai takamumukira. Hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu kana kuchengeta mirayiro yaakatipa kubudikidza navaranda vake vaprofita. VaIsraeri vose vakadarika murayiro wenyu ndokutsauka, vachiramba kukuteererai imi. “Naizvozvo kutukwa nokutonga kwaakapika kwakanyorwa mumurayiro waMozisi, muranda waMwari, zvakadururirwa pamusoro pedu, nokuti takakutadzirai imi. Makazadzisa mashoko akataurwa pamusoro pedu napamusoro pamadzishe edu nokuuyisa pamusoro pedu njodzi huru. Hakuna kumbova nechinhu chakaitwa pasi pedenga rose chakafanana nezvakaitwa paJerusarema. Sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, njodzi iyi yose yakawira pamusoro pedu, kunyange zvakadaro hatina kutsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wedu nokutendeuka kubva pazvivi zvedu tichiteerera chokwadi chenyu. Jehovha haana kunonoka kuuyisa njodzi pamusoro pedu, nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pazvinhu zvose zvaanoita; asi hatina kumuteerera. “Zvino, imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu kubva muIjipiti noruoko rune simba uye mukazviitira zita rinogara kusvikira iye nhasi, takatadza, takaita zvakaipa. Haiwa Ishe, dzorai kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu kubva paJerusarema, guta renyu nechikomo chenyu chitsvene, nokuda kwamabasa enyu ose akarurama. Zvivi zvedu nezvakaipa zvamadzibaba edu zvakaita kuti Jerusarema nevanhu zvive chinhu chinosekwa naavo vose vakatikomberedza. “Zvino, imi Mwari wedu, inzwai minyengetero nemikumbiro yomuranda wenyu. Haiwa Ishe, nokuda kwenyu, mutarire nenyasha pamusoro petemberi yenyu yakaparara. Rerekai nzeve yenyu imi Mwari, uye munzwe; zarurai meso enyu muone kuparadza kweguta rakatumidzwa Zita renyu. Hatikumbiri kwamuri nokuda kwokuti takarurama, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru. Haiwa Ishe, inzwai! Haiwa Ishe kanganwirai! Haiwa Ishe, inzwai muite! Haiwa Mwari wangu, nokuda kwenyu musanonoka, nokuti vanhu venyu neguta renyu vakatumidzwa Zita renyu.” Pandakanga ndichitaura uye ndichinyengetera, ndichireurura zvivi zvangu nezvivi zvavanhu vangu vaIsraeri ndichiisa chikumbiro changu kuna Jehovha Mwari wangu nokuda kwechikomo chake chitsvene, ndichiri pakunyengetera, Gabhurieri, murume wandakanga ndaona muchiratidzo changu chokutanga, akasvika pandiri achibhururuka kwazvo nenguva inenge yechibayiro chamadekwana. Akandirayira uye akati kwandiri, “Dhanieri, ndauya zvino kuzokupa njere nokunzwisisa. Pawakangotanga kunyengetera, mhinduro yakabva yapiwa, ndiyo yandauya kuzokuudza, nokuti iwe unokudzwa kwazvo. Naizvozvo rangarira shoko iri uye unzwisise chiratidzo: “Vhiki makumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako uye neguta rako dzvene kuti vapedze kudarika kwavo, varege kutadza, kana kuyanana nezvakaipa, vauye nokururama kusingaperi, kusimbisa chiratidzo nechiprofita nokuzodza iye mutsvene tsvene. “Uzive uye unzwisise izvi: Kubva pakupiwa kwechirevo chokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira Muzodziwa, iye mutongi, auya, kuchava nevhiki nomwe uye vhiki makumi matanhatu nembiri. Richavakwa rine migwagwa uye nomugero, asi munguva dzokutambudzika. Shure kwevhiki makumi matanhatu nembiri, Muzodziwa achagurwa uya achashaya chinhu. Vanhu vomutongi vachasvika ndokuparadza guta nenzvimbo tsvene. Kuguma kuchauya sokudira kwemvura. Hondo icharamba iripo kusvikira kumagumo, uye kuparadzwa kwakatemwa kare. Iye achasimbisa sungano navazhinji kwevhiki imwe. Pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipiriso. Uye pano rumwe rutivi rwetemberi achaisa chinyangadzo chinokonzera kuparadzwa, kusvikira kuguma kwakatemwa kwadururirwa pamusoro pake.” Mugore rechitatu ramambo Sirasi wePezhia, Dhanieri (iye ainzi Bheriteshazari) akazarurirwa. Shoko racho rakanga riri rechokwadi uye raireva kurwa kukuru. Akanzwisisa shoko iri nechiratidzo. Panguva iyo, ini, Dhanieri ndakachema kwevhiki nhatu. Handina kudya zvokudya zvakanaka; kunyange nyama kana waini hazvina kusvika pamuromo wangu; uye handina kana kuzora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzapera. Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, pandaiva ndimire pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Tigirisi, ndakatarisa kumusoro uye hapo pamberi pangu pakanga pane murume akapfeka nguo dzomucheka, nebhanire regoridhe yakanatswa muchiuno chake. Muviri wake wakanga wakaita sekirisoreti, chiso chake chichipenya semheni, meso ake aipfuta somwenje, maoko ake namakumbo ake zvichivaima sendarira yakakweshwa, uye inzwi rake rakafanana nomutinhiro wavazhinji. Ini, Dhanieri, ndini ndoga chete ndakaona chiratidzo; varume vakanga vaneni havana kuchiona, asi kutyisa kwakadai kwakavavhundutsa zvokuti vakatiza vakandovanda. Saka ndakasiyiwa ndiri ndoga, ndakatarira kuchiratidzo chikuru; ndakanga ndisisina simba, chiso changu chakashanduka chikatsvukuruka uye ndakanga ndapererwa. Ipapo ndakamunzwa achitaura, uye pandakanga ndakateerera kwaari, ndakabatwa nehope huru, ndikatsikitsira pasi. Ruoko rwakandibata rukandiita kuti ndidedere pamaoko angu namabvi. Iye akati kwandiri, “Dhanieri, iwe unokudzwa zvikuru, chichengeta zvikuru mashoko andava kutaura kwauri, uye usimuke, nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Zvino paakareva izvi kwandiri, ndakasimuka ndichidedera. Ipapo akaenderera mberi akati, “Usatya, Dhanieri. Kubva pazuva rawakafunga kuwana kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwika, uye ini ndauya nemhinduro. Asi muchinda wavaPezhia akandidzivisa mazuva makumi maviri nerimwe apfuura. Ipapo Mikaeri, mumwe mukuru wamachinda, akauya kuzondibatsira, nokuti ndakanga ndakavharidzirwa ikoko namambo wavaPezhia. Zvino ndauya kuzokutsanangurira zvichaitika kuvanhu vako pamazuva anouya, nokuti chiratidzo ndechenguva ichauya.” Achiri kutaura izvi kwandiri, ndakakotama ndakatsikitsira pasi ndikashaya chokutaura. Ipapo mumwe akanga akafanana nomunhu akabata muromo wangu, ini ndikashamisa muromo wangu ndokutanga kutaura. Ndakati kuno wakanga amire pamberi pangu, “Ini ndabatwa nokurwadziwa nokuda kwechiratidzo, ishe wangu, uye ndapererwa. Ndingataura sei nemi, ini muranda wenyu, ishe wangu? Simba rangu rapera uye handichakwanisi kufema.” Zvakare, mumwe akanga akafanana nomunhu akandibata akandipa simba. Iye akati, “Usatya, iwe munhu anokudzwa zvikuru. Rugare! Iva nesimba zvino, simba.” Paakataura neni, ndakabva ndasimba ndikati, “Taurai Ishe wangu, sezvo mandipa simba.” Saka iye akati, “Unoziva here zvandavinga kwauri? Ndichadzokera nokukurumidza kundorwa nomuchinda wePezhia, uye kana ndaenda, muchinda weGirisi achauya; asi chokutanga ndichakuudza zvakanyorwa muBhuku reZvokwadi. Hakuna anonditsigira kundorwa navo kunze kwaMikaeri, muchinda wako. Uye mugore rokutanga raDhariasi muMedhia, ini ndakasimuka kuti ndimutsigire nokumudzivirira. “Zvino ipapo, ndinokuudza chokwadi: Mamwezve madzimambo matatu achavamo muPezhia, uye ipapozve mumwe wechina, achava akafuma kupfuura vamwe vose. Paachava nesimba nokuda kwepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noumambo hweGirisi. Ipapo mambo ane simba achavapo, uyo achatonga nesimba guru nokuita sezvaanoda. Shure kwokuonekwa kwake, ushe hwake huchatsemuka hugogoverwa kumhepo ina dzedenga. “Mambo weZasi achava neimba, asi mumwe wavakuru vake vehondo achava nesimba kupfuura iye uye achatonga muumambo hwake amene nesimba guru. Shure kwamamwe makore, vachazobatana. Mwanasikana wamambo weZasi achaenda kuna mambo woKumusoro kuti anoita sungano, asi mwanasikana uyu haangarambi ane simba rake, uye iye mambowo nesimba rake zvichaguma. Mumazuva iwayo mwanasikana acharaswa, pamwe chete navanomurinda nababa vake uye naiye anomutsigira. “Mumwe anobva mumhuri yake achamutswa kuti atore nzvimbo yake. Acharwisa mauto amambo woKumusoro agopinda munhare yake; iye acharwa navo agovakunda. Achatapawo vamwari vavo, zvifananidzo zvavo zvesimbi nezvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha negoridhe agozvitakura achienda nazvo kuIjipiti. Achazosiya mambo woKumusoro ari oga kwamakore. Ipapo mambo woKumusoro acharwisa umambo hwamambo weZasi asi achizodzokera hake kunyika yake. Vanakomana vake vachagadzirira kurwa uye vachaunganidza hondo huru, ichakukura samafashamu emvura ane simba vagorwa kusvikira kunhare yake. “Ipapo mambo weZasi achafora akatsamwa kwazvo kuti azorwisa mambo woKumusoro, uyo achamutsa hondo huru, asi ichizokundwa. Kana varwi vaendwa navo, weZasi achazara nokuzvikudza uye achauraya zviuru zvizhinji, asi zvazvo haazorambi achikunda. Nokuti mambo woKumusoro achaumba imwe hondo, yakakura kupfuura yokutanga; uye shure kwamakore mazhinji, achaenda kundorwa ane hondo huru huru yakashongedzwa zvakakwana. “Munguva idzodzo vazhinji vachamukira mambo weZasi. Varume vechisimba pakati pavanhu vokwako vachakumukira kuti chiratidzo chizadziswe, asi havangakundi. Ipapo mambo woKumusoro achauya agovaka mirwi yokurwisa uye achapamba guta rakakomberedzwa, Mauto eZasi achashaya simba rokuzvidzivirira; kunyange mapoka emhare dzavo achashaya simba rokumira. Mupambi achaita zvaanoda; hakuna achagona kumisidzana naye. Achazvisimbisa muNyika Yakaisvonaka uye achava nesimba rokuiparadza. Achashingaira kuti auye navane simba voumambo hwake hwose uye achabatana namambo weZasi. Uye achamupa mwanasikana wake kuti amuwane kuitira kuti aparadze umambo, asi urongwa hwake hahuzobudiriri kana kumubatsira. Ipapo acharinzira chiso chake kuzviwi agotora zvizhinji zvacho, asi mukuru wamauto achagumisa kuzvidza kwake uye agodzorera kuzvidzwa kwake kwaari amene. Shure kwaizvozvo, achadzokera akananga kunhare dzenyika yake asi achagumburwa ndokuwa, akasazoonekwazve. “Anomutevera achatumira muteresi kuti achengetedze mbiri youmambo. Zvisinei hazvo, shure kwamakore mashoma, iye achaparadzwa, zvisingaitwi mukutsamwa kana muhondo. “Achatsiviwa nomunhu anozvidzwa asina kumbopiwa rukudzo rwoumambo. Iye achapamba umambo panguva iyo vanhu vanenge vakadekara, uye achahubvuta nenzira yokubata kumeso. Ipapo hondo huru ichakukurwa pamberi pake; zvose iye nomuchinda wesungano zvichaparadzwa. Shure kwokuita chibvumirano naye, achaita zvinhu zvounyengeri, uye navanhu vashoma chete achatora chigaro chokutonga. Matunhu akapfuma paanenge adekara, acharwisa uye achakwanisa kuita zvisina kumboitwa namadzibaba ake kana madzitateguru ake. Achagovera zvaakapamba, zvaakatora nebipitira nepfuma, pakati pavanhu vake. Achaita rangano yokuparadza nhare, asi kwechinguva chete. “Nehondo huru achamutsa simba rake nokushinga kwake kuti arwise mambo weZasi. Mambo weZasi acharwa naye nehondo huru kwazvo uye hondo ine simba kwazvo, asi haazogoni kumira nokuda kwamano aakarongerwa. Vaya vanodya zvokudya zvamambo vachaedza kumuparadza; hondo yake ichakukurwa, uye vazhinji vachafa muhondo. Madzimambo maviri, vane mwoyo yavo yakakombamira pane zvakaipa, vachagara patafura imwe chete vachireverana nhema, asi pasina zvazvinobatsira, nokuti kuguma kuchasvika zvakadaro panguva yakatarwa. Mambo woKumusoro achadzokera kunyika yokwake nepfuma zhinji, asi mwoyo wake uchavenga sungano tsvene. Achairwisa agodzokera kunyika yokwake. “Panguva yakatarwa acharwisa yeZasi zvakare, asi panguva ino zvichaitika zvichasiyana napakutanga. Zvikepe zvokuzviwi zvokumavirira zvichamupikisa, uye iye achaora mwoyo. Ipapo achadzokera kwaabva agondopedzera shungu dzake pamusoro pesungano tsvene. Achadzokera agondofarira vaya vanorasa sungano tsvene. “Mauto ake akapakata zvombo achasimuka kuti asvibise nhare yetemberi uye achadzivisa chibayiro chamazuva ose. Ipapo vachamisa chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa. Nokubata kumeso achatsausa avo vakaputsa sungano asi vanhu vanoziva Mwari wavo vachamudzivisa kwazvo. “Vakachenjera vachadzidzisa vazhinji, kunyange kwechinguva vachazourayiwa nomunondo kana kupiswa kana kutapwa kana kupambwa. Pavachawa vachagamuchira rubatsiro rushoma shoma, uye vazhinji vasiri muchokwadi vachabatana navo. Vamwe vakachenjera vachagumburwa, kuitira kuti vagonatswa, nokucheneswa uye vave vasina gwapa kusvikira panguva yokupedzisira, nokuti zvichazongoitika panguva yakatarwa. “Mambo uyu achaita sezvaanoda. Achazvisimudzira nokuzvikudza pamusoro pavamwari vose uye achataura zvinhu zvisina kumbonzwikwa pamusoro paMwari wavamwari. Achabudirira kusvikira nguva yokutsamwa yapera, nokuti zvakatemwa zvinofanira kuitika. Haazovi nehanya navamwari vamadzibaba ake kana nouyo anodikanwa navakadzi, uye haangavi nehanya namwari upi zvake, asi achazvikudza pamusoro pavo vose. Pachinzvimbo chazvo, achakudza mwari wenhare; achakudza negoridhe nesirivha namatombo anokosha, nezvipo zvomutengo wapamusoro, mwari akanga asingazivikanwi namadzibaba ake. Acharwisa nhare dzakasimbisisa achibatsirwa namwari wavatorwa uye achakudza zvikuru vaya vanomugamuchira. Achavaita vabati pamusoro pavanhu vazhinji uye achagovera nyika nomutengo. “Panguva yokupedzisira mambo weZasi acharwisana naye, uye mambo woKumusoro achamukirana naye nengoro neboka ravarwi nezvikepe zvizhinji. Acharwisa nyika zhinji agopfuura nomadziri samafashamu emvura. Acharwisawo Nyika Yakaisvonaka. Nyika zhinji dzichawa, asi Edhomu, Moabhu, navatungamiriri veAmoni vachawira muruoko rwake. Achaita kuti simba rake risvike pamusoro penyika zhinji; Ijipiti haingapukunyuki. Achava nesimba pamusoro pepfuma yegoridhe nesirivha uye pfuma yose yeIjipiti, uye vaRibhiya navaNubhia vachazviisa pasi pake. Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundutsa, ipapo achabuda nehasha zhinji kundoparadza nokupedza vazhinji. Achadzika matende ake oushe pakati pamakungwa pagomo dzvene rakaisvonaka. Asi achasvika kumagumo ake, uye hakuna achamubatsira. “Panguva iyoyo Mikaeri, muchinda mukuru anodzivirira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yenhamo isina kumbovapo kubva pakuvamba kwendudzi kusvikira zvino. Asi panguva iyoyo vanhu vako, ani naani ane zita rakanyorwa mubhuku, acharwirwa. Vazhinji vanovata muguruva renyika vachamuka: vamwe kuupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi. Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama, vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri. Asi iwe, Dhanieri, vhara uye uname mashoko orugwaro kusvikira pamazuva okupedzisira. Vazhinji vachaenda kwose kwose kuti vawedzere zivo.” Ipapo ini, Dhanieri, ndakatarisa uye hapo pamberi pangu pakanga pamire vamwe vaviri, mumwe kumhenderekedzo. Mumwe wavo akati kumunhu akanga akapfeka nguo yomucheka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi akati, “Kusvikira riniko zvinhu zvinoshamisa izvi zvisati zvazadziswa?” Mumwe akanga akapfeka nguo yomucheka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi, akasimudza ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga, ndikamunzwa achipika naiye anorarama nokusingaperi, achiti, “Zvichava kwechinguva nedzimwe nguva nehafu yenguva. Kana simba ravanhu vatsvene rikange raputsanywa, zvinhu zvose izvi zvichapedziswa.” Ndakanzwa, asi handina kunzwisisa. Saka ndakabvunza ndikati, “Ishe wangu, zvinhu zvose izvi zvichaguma seiko?” Akapindura akati, “Chienda hako, Dhanieri, nokuti mashoko aya akavharwa nokunamwa kusvikira panguva yokupedzisira. Vazhinji vachacheneswa, vasina gwapa, uye vachanatswa, asi vakaipa vacharamba vakaipa. Hakuna achanzwisisa. “Kubva panguva ichadziviswa chibayiro chamazuva ose nokumiswa kwechinhu chinonyangadza chinouyisa kuparadzwa, pachava namazuva chiuru chine zana namakumi mapfumbamwe. Akaropafadzwa uyo achamirira nokusvika kumagumo amazuva chiuru china mazana matatu namakumi matatu namashanu. “Asi kana uriwe, enda hako kusvikira kumagumo. Uchazorora, uye ipapo pamagumo amazuva, iwe uchasimuka kuti ugamuchire mugove wenhaka yako.” Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakomana waBheeri panguva yokutonga kwaUzia, Jotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo eJudha, napanguva yokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri: Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, Jehovha akati kwaari, “Enda, undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.” Naizvozvo akawana Gomeri mwanasikana waDibhiraimu, uye akabata pamuviri akamuberekera mwanakomana. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Jezireeri, nokuti ndava kuda kuranga imba yaJehu zvino nokuda kwavanhu vakaurayiwa paJezireeri, uye ndichagumisa umambo hwaIsraeri. Pazuva iro ndichavhuna uta hwaIsraeri mumupata weJezireeri. Gomeri akabatazve pamuviri ndokubereka mwanasikana. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ruhama, nokuti handichazoratidzizve rudo kuimba yaIsraeri, kuti nditombovaregerera. Asi ndicharatidza rudo kuimba yaJudha; uye ndichavaponesa, kwete nouta, munondo kana kurwa, kana namabhiza kana navatasvi vamabhiza, asi naJehovha Mwari wavo.” Mushure mokurumura Ro-Ruhama, Gomeri akaberekazve mumwe mwanakomana. Ipapo Jehovha akati, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ami, nokuti imi hamuzi vanhu vangu, uye ini handizi Mwari wenyu. “Kunyange zvakadaro vaIsraeri vachava sejecha riri pamahombekombe egungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa. Paya pakanga panzi kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ Vanhu veJudha navanhu veIsraeri vachabatanazve, uye vachasarudza mutungamiri mumwe chete uye vachasimukira panyika, nokuti zuva raJezireeri richava zuva guru. “Uti kuvanun'una vako, ‘Vanhu vangu,’ nokuhanzvadzi dzako ‘vadikanwa vangu.’ ” “Tsiurai mai venyu, vatsiurei, nokuti havazi mukadzi wangu, uye handizi murume wavo. Ngavabvise kuonekwa kwoufeve pachiso chavo nokusatendeka pakati pamazamu avo. Kana zvikasadaro, ndichavabvisa nguo dzose vagosara vakashama sezvavakanga akaita musi wavakaberekwa. Ndichavaita segwenga ndigovashandura vave nyika yakaoma uye ndichavauraya nenyota. Handizoratidzi vana vavo rudo, nokuti vana voufeve. Mai vavo vakanga vasina kutendeka uye vakavaberekera mune zvinonyadzisa. Vakati, ‘Ndichateverazve vadiwa vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, makushe angu nomucheka wangu, mafuta angu nezvokunwa zvangu.’ Naizvozvo ndichasosera nzira yavo namasanzu eminzwa; ndichavapfigira mukati morusvingo zvokuti havangawani nzira yavo. Vachadzinganisa vadiwa vavo asi havangavabati; vachavatsvaka, asi havangavawani. Ipapo vachati, ‘Ndichadzokera kumurume wangu sapakutanga nokuti ipapo ndaiva nani kupfuura pari zvino.’ Havana kuzvibvuma kuti ndini ndaivapa zviyo, newaini itsva namafuta, ndini ndakavapa sirivha negoridhe rakawanda izvo zvavakashandira Bhaari nazvo. “Naizvozvo ndichavatorera zviyo zvangu kana zvaibva, newaini yangu itsva nenguva yayo. Ndichatora makushe angu nomucheka wangu zvaifanira kufukidza kushama kwavo. Saka zvino ndichabudisa pachena unzenza hwavo pamberi pavadiwa vavo; hapana achazovatora kubva mumaoko angu. “Ndichagumisa kupembera kwavo kwose: mitambo yavo yose yegore negore, nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata avo nemitambo yavo yose yakatarwa. Ndichaparadza mizambiringa yavo nemiti yavo yemionde yakanga iri muripo waibva kuvadiwa vavo. Ndichazviita dondo, uye mhuka dzesango dzichazvidya. Ndichavaranga nokuda kwamazuva avakapisira zvinonhuwira kuna Bhaari; vakazvishonga nemhete nezvishongo, vakatevera vadiwa vavo, asi ini vakandikanganwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvino ndichazovakwezva; ndichavatungamirira kurenje ndigotaura zvinyoronyoro kwavari. Ikoko ndichavadzosera minda yavo yemizambiringa uye ndichaita kuti mupata weAkori uve musuo wetariro. Ikoko vachaimba sapamazuva oumhandara hwavo, sapamazuva avakabuda kubva muIjipiti. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Uchanditi ‘murume wangu;’ hauchazonditi ‘tenzi wangu.’ Ndichabvisa mazita avanaBhaari kubva pamiromo yavo; havangazodani kumazita avozve. Pazuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzesango neshiri dzedenga uye nezvipuka zvinokambaira pasi. Uta nomunondo nehondo, ndichazvibvisa panyika kuti zvose zvivate pasi zvakachengetedzeka. Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; Ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira, murudo netsitsi. Ndichatsidza kukuwana mukutendeka, uye uchabvuma kuti ndini Jehovha. “Pazuva iro ndichadavira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichadavira kumatenga uye ivo vachadavira kunyika; nenyika ichadavira kuzviyo, waini itsva namafuta, uye izvo zvichadavira kuna Jezireeri. Ndichamusima panyika nokuda kwangu; ndicharatidza rudo kuno uyo wandakati ‘Haasiye wandinoda.’ Ndichati kuna avo vanonzi ‘Havasi vanhu vangu,’ ‘Muri vanhu vangu,’ uye ivo vachati, ‘Muri Mwari wangu.’ ” Jehovha akati kwandiri, “Enda, undodazve mukadzi wako, kunyange achidiwa nomumwe uye ari chifeve. Umude sokuda kunoita Jehovha vaIsraeri, kunyange vachitendeukira kuna vamwe vamwari vachida makeke akaereswa ane marezini.” Saka ndakamutenga namashekeri gumi namashanua esirivha neinenge homeri neretekib rebhari. Ipapo ndakati kwaari, “Unofanira kugara neni kwamazuva akawanda; haufaniri kuva chifeve kana kudanana nomumwe murume, uye ndichagara newe.” Nokuti vaIsraeri vachagara mazuva mazhinji vasina mambo kana muchinda, vasina chibayiro, vasina shongwe, efodhi kana chifananidzo. Mushure maizvozvo vaIsraeri vachadzoka vagotsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo. Vachauya vachidedera kuna Jehovha nokumaropafadzo ake mumazuva okupedzisira. Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa kwamuri imi vagere munyika: “Hapana akatendeka, hapana ane rudo, hapana anoziva Mwari munyika. Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya, kuba noupombwe; vanoparadza zvose zvinovadzivisa, uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa. Nokuda kwaizvozvi nyika inochema, navose vanogara mairi vanoperezeka. Mhuka dzesango neshiri dzedenga nehove dzegungwa zviri kufa. Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva, ngapasava nomunhu anopomera mumwe nokuti vanhu venyu vakafanana neavo vanopomera muprista mhaka. Imi munogumburwa masikati nousiku, uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi. Saka ndichaparadza mai venyu. Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo. “Sezvo maramba zivo, ini ndakurambaiwo savaprista vangu; nokuti makafuratira murayiro waMwari wenyu, ini ndichafuratirawo vana venyu. Vaprista vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo; vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa. Vanodya zvivi zvavanhu vangu uye vachifarira zvakaipa zvavo. Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista. Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavo uye ndichavapa mubayiro wamabasa avo. “Vachadya asi havangaguti; vachaita ufeve asi havangawandi, nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire kuufeve, newaini yakare neitsva, zvinobvisa kunzwisisa kwavanhu vangu vanobvunza chifananidzo chedanda uye vanopindurwa netsvimbo yomuti. Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika, havana kutendeka kuna Mwari wavo. Vanobayira pamusoro pamakomo uye vanopisira zvinonhuwira pazvikomo, pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini, pane mimvuri yakanaka. Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve navaroora venyu kuupombwe. “Handizorangi vanasikana venyu pavanotendeukira kuufeve, kana varoora venyu pavanoita upombwe, nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve. Uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvapanzvimbo dzinoereswa. Vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa. “Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri, usaita kuti Judha ave nemhosva. “Usaenda kuGirigari; usakwira uchienda kuBheti Avheni. Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’ VaIsraeri vakasindimara, setsiru rakasindimara. Ko, zvino Jehovha achavafudza sei samakwayana pamafuro? Efuremu akabatana nezvifananidzo; musiyei ari oga! Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera, vanoramba vachiita ufeve hwavo; vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa. Chamupupuri chichavatsvairira kure, uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa. “Inzwai izvi, imi vaprista! Teererai, imi vaIsraeri! Teerera, iwe imba youmambo! Ndiwe uri kutongwa: Wakanga uri musungo paMizipa, mumbure wakatambanudzwa paTabhori. Vapanduki vari mushishi rokuuraya. Ndichavaranga vose. Ndinoziva zvose zviri pamusoro paEfuremu; Israeri haina kuvanzika kwandiri. Efuremu, watendeukira zvino kuufeve; Israeri avora. “Zviito zvavo hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo. Mweya woufeve uri mumwoyo yavo; Havazivi Jehovha. Kuzvikudza kwaIsraeri kunovapa mhosva; vaIsraeri, kunyange Efuremu, vanogumburwa muchivi chavo; Judha anogumburwawo pamwe chete navo. Pavachaenda namakwai nemombe dzavo kundotsvaka Jehovha, havazomuwani; iye azvibvisa kwavari. Havana kutendeka kuna Jehovha; vanobereka vana voupombwe. Zvino mitambo yavo yoKugara kwoMwedzi, ichavadya pamwe chete neminda yavo. “Ridzai hwamanda paGibhea, norunyanga paRama. Ridzai mhere yehondo paBheti Avheni; tungamira pamberi, iwe Bhenjamini. Efuremu achaparadzwa pazuva rokutongwa. Pakati pamarudzi aIsraeri ndinozivisa zvinhu zvechokwadi. Vatungamiri vaJudha vakafanana naavo vanobvisa mabwe omuganhu. Ndichadurura hasha dzangu pavari samafashamu emvura. Efuremu adzvinyirirwa atsikwa-tsikwa mukutongwa, nokuti akada kutevera zvifananidzo. Ndakafanana nechipfukuto kuna Efuremu, sokuora kwavanhu veJudha. “Efuremu paakaona kurwara kwake, naJudha maronda ake, Efuremu ndipo paakatendeukira kuAsiria, akatuma nhume kuna mambo mukuru kundotsvaka rubatsiro. Asi haagoni kukurapa, haagoni kuporesa mavanga ako. Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu, seshumba huru kuna Judha. Ndichavabvambura kuita zvidimbu zvidimbu ndigoenda; ndichaenda navo pagoshaya anovarwira. Mushure maizvozvo ndichadzokera kunzvimbo yangu, kusvikira vabvuma mhosva yavo. Uye vachatsvaka chiso changu; pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose.” “Uyai tidzokere kuna Jehovha. Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu, asi achatiporesa; akatikuvadza, asi achasungazve mavanga edu. Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza, pazuva rechitatu achatidzorazve, kuti tirarame pamberi pake. Ngatimuzivei iye Jehovha; ngatishingairirei kumuziva. Zvirokwazvo sokubuda kwezuva, iye achaonekwa; achauya kwatiri semvura yomuchando, semvura yebumharutsva inodiridza nyika.” “Ndichaiteiko newe, Efuremu? Ndichaiteiko newe, Judha? Rudo rwenyu rwakafanana nemhute yamangwanani, sedova ramangwanani rinopera. Naizvozvo ndinokugurai ndichikuitai zvidimbu zvidimbu navaprofita vangu, ndakakuurayai namashoko omuromo wangu, kutonga kwangu kwakapenya semheni kwamuri. Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro, nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa. SaAdhamu, vakaputsa sungano, vakanga vasina kutendeka kwandiri ipapo. Gireadhi iguta ravanhu vakaipa, rakasvibiswa norunyoro rwetsoka dzeropa. Samakororo anovandira munhu, ndizvo zvinoita boka ravaprista. Vanouraya vanhu panzira inoenda kuShekemu, vachipara mhosva dzinonyadzisa. Ndakaona chinhu chakaipa kwazvo muimba yaIsraeri. Imomo Efuremu anoita ufeve uye Israeri anosvibiswa. “Nokwauriwo iwe, Judha, kukohwa kwatarwa, pose pandichadzorera maropafadzo avanhu vangu. Pose pandichaporesa Israeri, zvivi zvaEfuremu zvichaiswa pachena uye mhosva dzeSamaria dzichabudiswa pachena. Vanoita zvounyengeri, mbavha dzinopaza dzimba, uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira; asi havazivi kuti ndinorangarira zvakaipa zvose zvavanoita. Zvivi zvavo zvinovakomberedza; zvinoramba zviri pamberi pangu nguva dzose. “Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo, machinda nenhema dzavo. Vose imhombwe, vanopisa sechoto, moto wacho usingadi mukanyi wechingwa kukuchidzira, kubva pakukanywa kwebundu rechingwa kusvikira chafuta. Pazuva romutambo wamambo wedu machinda anorwara nokuda kwewaini, uye iye akabatana navaseki. Mwoyo yavo yakafanana nechoto; vanouya kwaari nounyengeri, ruchiva rwavo runonyeketa somoto usiku hwose; mangwanani ruchizopfuta serimi romoto. Vose zvavo vanopisa sechoto; vanoparadza vatongi vavo. Madzimambo avo ose anowira pasi, uye hapana kana mumwe wavo anodana kwandiri. “Efuremu anovhengana namarudzi; Efuremu chingwa chitete chisina kushandurwa. Vatorwa vakamusveta simba rake, asi iye haazvizivi. Bvudzi rake rava kuchena, asi iye haazvicherechedzi. Kuzvikudza kwaIsraeri kunomupupurira zvakaipa, asi kunyange zvakadaro iye haadzoki kuna Jehovha Mwari wake kana kumutsvaka. “Efuremu akaita senjiva, inonyengereka zviri nyore uye isina njere, anodana kuIjipiti, anoenda kuAsiria. Pavachaenda, ndichakandira mumbure pamusoro pavo; ndichavakwevera pasi seshiri dzedenga. Pandichavanzwa vachibhururuka pamwe chete, ndichavabata. Vane nhamo, nokuti vakarasika vachibva kwandiri! Ngavaparadzwe, nokuti vakandipandukira! Ndinoshuva kuvadzikinura, asi vanondirevera nhema. Havachemi kwandiri zvinobva pamwoyo yavo, asi vanoungudza vari panhoo dzavo. Vanounganira zviyo newaini itsva asi vanondifuratira. Ndakavadzidzisa ndikavasimbisa, asi vanorangana kundiitira zvakaipa. Havadzokeri kuna iye Wokumusoro-soro; vakafanana nouta hunonyengera. Vatungamiri vavo vachaparadzwa nomunondo, nokuda kwamashoko avo ounhubu. Nokuda kwaizvozvi vachasekwa munyika yeIjipiti. “Isa hwamanda pamuromo wako! Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha. nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu uye vakapandukira murayiro wangu. VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti, ‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’ Asi Israeri akaramba zvakanaka; muvengi achamutevera. Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni; vanosarudza machinda pasina mvumo yangu. Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo kuti vagoparadzwa. Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria! Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo. Vachasvika riniko vasingagoni kuzvichenesa? Izvi zvinobva kuIsraeri! chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri, hachizi Mwari. Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu, icho chimhuru cheSamaria. “Vanodyara mhepo vachikohwa chamupupuri. Dzinde harina kubereka; haringaburitsi upfu. Dai raizobereka zviyo, vatorwa vaizvimedza. Israeri yamedzwa; zvino yava pakati pendudzi sechinhu chisina maturo. Nokuti vakaenda kuAsiria sembizi inongombeya yoga. Efuremu akazvitengesa kuvadiwa. Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi, ndichavaunganidza zvino pamwe chete. Vachatanga kuparara pasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru. “Kunyange Efuremu akavaka aritari zhinji dzezvipiriso zvechivi, idzi dzava aritari dzokuitira zvivi. Ndakavanyorera zvinhu zvakawanda zvomurayiro wangu, asi vakazvitora sezvinhu zvisinei navo. Vanopa zvibayiro kwandiri uye vodya nyama yacho, asi Jehovha haafadzwi navo. Zvino acharangarira uipi hwavo uye acharanga zvivi zvavo: Vachadzokera kuIjipiti. Israeri akakanganwa Musiki wake ndokuvaka mizinda; Judha akomberedza maguta mazhinji namasvingo. Asi ndichatumira moto pamaguta avo uchaparadza masvingo avo.” Rega kufara, iwe Israeri; rega kupembera sezvinoita dzimwe ndudzi. Nokuti hauna kunge wakatendeka kuna Mwari wako; unofarira mubayiro wechifeve, pamapuriro ose. Mapuriro nezvisviniro zvewaini hazvingagutsi vanhu. Waini itsva ichavanyengera. Havangarambi vari munyika yaJehovha; Efuremu achadzokera kuIjipiti agodya zvokudya zvakasvibiswa muAsiria. Havangadiri zvipiriso zvewaini kuna Jehovha, uye zvibayiro zvavo hazvingamufadzi. Zvibayiro zvakadai zvichava kwavari sechingwa chavanochema; vose vanozvidya vachava vakasvibiswa. Zvokudya izvi zvichava zvavo; hazvingaunzwi mutemberi yaJehovha. Muchaiteiko pazuva rakatarwa remitambo yenyu, pamazuva emitambo yaJehovha? Kunyange dai vakapukunyuka kubva pakuparadzwa, Ijipiti ichavaunganidza, uye Memufisi ichavaviga. Matura avo esirivha achafukidzwa norukato, uye minzwa ichamera mumatende avo. Mazuva okurangwa ari kuuya, mazuva okutsiva ava pedyo. Israeri ngaazvizive izvi. Nokuti zvivi zvako zvizhinji kwazvo uye ukasha hwako hwakakura kwazvo. Muprofita anoonekwa sebenzi, nomurume ano mweya somunhu anopenga. Muprofita, pamwe naMwari wangu, ndiye nharirire yaEfuremu, asi zvakadaro misungo yakamumirira panzira dzake dzose, uye ruvengo muimba yaMwari wake. Vanyura kwazvo kwazvo muuori, sapamazuva eGibhea. Mwari acharangarira uipi hwavo uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo. “Pandakawana Israeri, zvakanga zvakafanana nokuwana mazambiringa murenje; pandakaona madzibaba enyu, zvakanga zvakaita sokuona zvibereko zvokutanga pamuti womuonde. Asi pavakauya kuBhaari Peori, vakazvitsaura kuti vazviise kuchiumbwa ichocho chinonyadzisa, vakava vasina maturo uye vakafanana nechinhu chavakada. Kukudzwa kwaEfuremu kuchabhururuka seshiri, pasina kubereka, pasina pamuviri, pasina kubata pamuviri. Kunyange zvavo vakarera vana, ndichavauraya vose mumwe nomumwe. Vachava nenhamo pandichavafuratira! Ndakaona Efuremu, seTire, akasimwa panzvimbo yakanaka. Asi Efuremu achabudisa vana vake kumuurayi. Vapei, imi Jehovha, zvino muchavapeiko? Vapei zvibereko zvinopfupfudzika namazamu akaoma. “Nokuda kwouipi hwavo hwose muGirigari, ndakavavenga ikoko. Nokuda kwamabasa avo akaipa, ndichavadzinga kubva mumba mangu. Handichazovadizve, vatungamiri vavo vose vakapanduka. Efuremu arohwa, mudzi wavo, wasvava, havabereki chibereko. Kunyange vakabereka vana, ndichauraya vana vavo ivava vavanodisa.” Mwari wangu achavaramba nokuti havana kumuteerera; vachava vadzungairi pakati pendudzi. Israeri akanga ari muzambiringa unotanda; akazviberekera zvibereko. Zvibereko zvake pazvakawanda, iye akavakawo aritari dzakawanda; nyika yake payakabudirira, iye akashongedzawo matombo ake akaereswa. Mwoyo wavo unonyengera, uye zvino vanofanira kutakura mhosva yavo. Jehovha achaputsa aritari dzavo uye achaparadza matombo avo akaereswa. Ipapo vachati, “Hatina mambo nokuti hatina kukudza Jehovha. Asi kunyange dai taiva namambo, angadai akatiitireiko?” Vanovimbisa zvakawanda, vanoita mhiko dzenhema uye vanoita zvibvumirano; naizvozvo mhosva dzinoendeswa kudare dzinomera sebise rinouraya mumunda wakarimwa. Vanhu vanogara muSamaria vanotyira chifananidzo chemhuru chaBheti Avheni. Vanhu vacho vachachichema, ndizvo zvichaitawo vaprista vanonamata chifananidzo chacho; ivavo vakafarira kukudzwa kwacho, nokuti vachachitorerwa chigoendeswa kuutapwa. Chichatakurwa chigoendeswa kuAsiria somutero kuna mambo mukuru. Efuremu achanyadziswa; Israeri achanyarawo nokuda kwezvifananidzo zvakavezwa. Samaria namambo wayo ichaeredzwa sechimuti pamusoro pemvura. Nzvimbo dzakakwirira dzouipi dzichaparadzwa, ichi ndicho chivi chaIsraeri. Minzwa norukato zvichamera zvigofukidza aritari dzavo. Ipapo vachati kumakomo, “Tifukidzei!” nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu!” “Kubva pamazuva eGibhea, wakatadza, iwe Israeri, uye ukarambirapo. Hondo haina kukunda vaiti vezvakaipa paGibhea here? Nenguva yandinoda ndichavaranga; ndudzi dzichaungana kuti dzivarwise nokuvaisa muusungwa nokuda kwezvivi zvavo zviviri. Efuremu itsiru rakapingudzwa rinofarira kupura; saka ndichaisa joko pamutsipa waro wakanaka. Ndichatinha Efuremu, Judha anofanira kurima, uye Jakobho anofanira kuputsa mavhinga acho. Zvidyarirei kururama, kohwai chibereko chorudo rusingaperi, mugorima gombo renyu; nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira auya kuzonayisa utsvene pamusoro penyu. Asi makarima uipi, mukacheka zvakaipa, mukadya zvibereko zvounyengeri, nokuti makavimba nesimba renyu uye navarwi venyu, kuomba kwehondo kuchamukira vanhu venyu, zvokuti masvingo enyu ose achaparadzwa, sokuparadzwa kwakaitwa Bheti Aribheri neSharimani pazuva rokurwa, vanamai pavakapanhirwa pasi pamwe chete navana vavo. Ndizvo zvichaitika kwauri, iwe Bheteri, nokuti uipi hwako hukuru. Kana zuva iroro roswedera, mambo weIsraeri achaparadzwa zvachose. Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda, uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti. Asi pandakanyanya kuvadana, ivo vakatonyanya kunditiza. Vakabayira kuna vanaBhaari uye vakapisira zvinonhuwira kuzvifananidzo. Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba, ndichivasesedza namaoko avo; asi havana kuzvicherechedza kuti ndini ndakavarapa. Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu, nezvisungo zvorudo; ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo ndikakotama kuti ndivape zvokudya: “Havangadzokerizve kuIjipiti uye vaAsiria havangavatongi here nokuti vakaramba kutendeuka? Minondo ichapenya mumaguta avo, ichaparadza mazariro pamasuo avo uye ichagumisa zvirongwa zvavo. Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri. Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo. “Ndinokuregedza seiko, Efuremu? Ndingakuendesa seiko, Israeri? Ndingakuitireiko saAdhima? Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi? Mwoyo wangu washanduka mukati mangu; tsitsi dzangu dzose dzamutswa. Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukuru kana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu. Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu, Mutsvene pakati penyu. Handingauyi ndakatsamwa. Vachatevera Jehovha; achaomba seshumba. Paachaomba, vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero. Vachauya vachidedera seshiri vachibva kuIjipiti, senjiva vachibva kuAsiria. Ndichavagarisa mudzimba dzavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Efuremu andikomberedza nenhema, imba yaIsraeri nounyengeri. Uye Judha akasindimara pamberi paMwari, kunyange pamberi paIye Mutsvene. Akatendeka. Efuremu anodya mhepo; anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba. Anoita sungano neAsiria, uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti. Jehovha ane mhaka yaanopa Judha; acharanga Jakobho maererano nenzira dzake uye achamupa mubayiro maererano namabasa ake. Muchizvaro akabata chitsitsinho chomukoma wake; somunhu akaita mutsimba naMwari. Akaita mutsimba nomutumwa akamukurira; akachema akakumbira kuti anzwirwe nyasha naye. Akamuwana paBheteri akataura naye ipapo, Jehovha Mwari Wamasimba Ose, Jehovha ndiro zita rake raanozivikanwa naro! Asi unofanira kudzokera kuna Mwari wako; chengetedza rudo nokururamisira, uye umirire Mwari wako nguva dzose. Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera; anofarira kubiridzira. Efuremu anozvikudza achiti, “Ndakapfuma kwazvo; ndazova mupfumi chaiye. Noupfumi hwangu hwose havangawani mandiri chakaipa chipi zvacho kana chivi mukati mangu.” “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti; ndichakugarisaizve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa. Ndakataura kuvaprofita, ndikavapa zviratidzo zvizhinji uye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.” Ko, Gireadhi yakaipa here? Vanhu vayo havana maturo! Vanobayira nzombe here paGirigari? Aritari dzavo dzichava semirwi yamatombo mumunda wakarimwa. Jakobho akatizira kunyika yeAramu; Israeri akashandira kuti awane mukadzi, uye kuti amuwane akafudza makwai. Jehovha akashandisa muprofita kuti abudise Israeri kubva muIjipiti, nomuprofita akavachengeta. Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa; Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropa uye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake. Efuremu akati ataura, vanhu vakadedera; iye akakudzwa muIsraeri. Asi akava nemhosva yokunamata Bhaari uye akafa. Zvino vanoramba vachingotadza; vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvakaumbwa nenjere dzavo, zvose ari mabasa emhizha. Pamusoro pavanhu ava zvinonzi, “Vanobayira zvibayiro uye vanotsvoda zviumbwa zvemhuru.” Naizvozvo vachava semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kupera, sehundi inopeperetswa kubva paburiro, soutsi hunobuda napawindo. “Asi ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti. Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu; kana mumwe Muponesi kunze kwangu. Ndakakuchengeta murenje, munyika inopisa kwazvo. Pandakavapa zvokudya, vakaguta; vakati vaguta, vakazvikudza ipapo vakandikanganwa. Saka ndichauya kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sembada, Sebere ratorerwa vana varo, ndichavarwisa ndigovatsemura. Seshumba ndichavaparadza; chikara chesango chichavabvambura. “Waparadzwa iwe Israeri, nokuti unondirwisa, uchirwisa mubatsiri wako. Mambo wako aripiko, kuti zvimwe angakuponesa? Vatongi vako varipiko mumaguta ako ose, avo vawakati, ‘Ndipei mambo namachinda’? Saka mukutsamwa kwangu ndakakupa mambo, uye muhasha dzangu ndakamubvisa. Mhosva dzaEfuremu dzakaunganidzwa pamwe chete, zvivi zvake zvakachengetedzwa muzvinyorwa. Kurwadziwa sokwomukadzi anosununguka kunosvika kwaari, asi uyu mwana asina uchenjeri; kana nguva dzasvika, haauyi kumusuo wechizvaro. “Ndichavadzikinura kubva pasimba reguva; ndichavadzikinura kubva parufu. Dziripiko hosha dzako, nhai rufu? Kuripiko kuparadza kwako, nhai guva? “Handingazovi netsitsi, kunyange akabudirira pakati pamadzikoma ake. Mhepo yokumabvazuva yaJehovha ichauya, ichivhuvhuta ichibva kurenje; chitubu chake chichapwa uye tsime rake richaoma. Dura rake richapambwa nezvose zvinokosha zviri mariri. Vanhu veSamaria vanofanira kutakura mhaka yavo, nokuti vakamukira Mwari wavo. Vachaparadzwa nomunondo; vacheche vavo vacharoverwa pasi. Vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.” Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. Zvivi zvako ndizvo zvakakonzera kuwa kwako! Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu. Asiria haangatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana nyasha mamuri.” “Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari. Ndichava sedova kuna Israeri, achatunga seruva remahapa. Somusidhari weRebhanoni achadzikisa midzi yake; mabukira ake achakura. Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi, kunhuwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni. Vanhu vachagarazve mumumvuri wake. Achararama sezviyo. Achatunga maruva somuzambiringa, uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni. Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo? Ndichamupindura uye ndichamuchengeta. Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira; kubereka kwako kunobva kwandiri.” Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi. Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa. Nzira dzaJehovha dzakarurama; vakarurama vanofamba madziri, asi vatadzi vanogumburwa madziri. Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri. Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakatomboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu? Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, uye vana vavowo vaudze rudzi runotevera. Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta zvakadyiwa negwatagwata; zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu. Mukai imi zvidhakwa, chemai! Ungudzai imi vanwi vewaini; ungudzai nokuda kwewaini itsva, nokuti yabvutwa pamiromo yenyu. Rudzi rwakapinda kuti ruzorwisa nyika yangu, rune simba uye haruverengeki; rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi. Rwakaparadza mizambiringa yangu yose, rukaparadza mionde yangu yose. Rwakasvuura makwati ose emiti, rukaarasira kure, ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e. Chemai semhandara yakapfeka masaga inochema murume wouduku hwayo. Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa hazvichawanikwi muimba yaJehovha. Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha. Minda yaparadzwa, pasi paoma; zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapera, mafuta hakuchina. Pererwai nezano, imi varimi, ungudzai, imi varimi vemizambiringa, chemerai gorosi nebhari, nokuti mukohwo weminda waparadzwa. Muzambiringa waoma, uye muonde wasvava; mutamba, muchindwi nomuti womuapuro, miti yose yesango, yaoma. Zvirokwazvo, mufaro wavanhu wapera. Pfekai masaga mucheme, imi vaprista; ungudzai, imi munoshanda paaritari. Uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi munoshumira pamberi paMwari wangu; nokuti zvipiriso zvezviyo nezvokunwa zvadziviswa muimba yaMwari wenyu. Tsaurai nguva yokutsanya kutsvene; danai vanhu kuungano tsvene. Kokai vakuru navose vanogara munyika kuimba yaJehovha Mwari wedu, mugodana kuna Jehovha. Rinotyisa sei zuva iro! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo; richauya sokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose. Ko, zvokudya hazvina kubviswa here pamberi pedu chaipo, mufaro nokufarisisa kubva mumba maMwari wedu? Mbeu dzinopetana dzisati dzamera pasi pevhu, matura aparara, tsapi dzaputswa nokuti hapachina zviyo. Mombe dzinogomera sei! Matanga emombe odzungaira nokuda kwokushayiwa mafuro. Kunyange mapoka amakwai ari kutambudzika. Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapisa mafuro, uye mirazvo yemoto yapisa miti yose musango. Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri; nokuti hova dzesango dzapwa uye moto waparadza mafuro ose. Ridzai hwamanda muZioni; ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene. Vanhu vose vagere munyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha riri kuuya. Rava pedyo, zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nokusviba. Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo, hondo huru ine simba guru iri kuuya; zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare, uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera. Moto unoparadza pamberi padzo, marimi omoto ari kupisa shure kwadzo. Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni, shure kwadzo kwangova gwenga risina basa, hapana chinopunyuka. Dzakafanana namabhiza; dzinomhanya samabhiza ehondo. Nomutinhiro sowengoro dzinokwakuka napamusoro pamakomo dzichidya mashanga somoto unopisa uswa hwakaoma, sehondo ine simba yabuda kundorwa. Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya; vose vanocheneruka kumeso. Dzinorwisa samauto; dzinokwira madziro savarwi. Dzinofamba dzakateverana dzisingatsauki padzakananga napo. Hadzikwikwidzani pakufamba, imwe neimwe inofamba yakananga mberi. Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei, pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo. Dzinobhururuka dzakananga muguta; dzinomhanya pamusoro porusvingo. Dzinokwira dzichipinda mudzimba; dzinopinda napamawindo sembavha. Pamberi padzo, pasi panozunguzika, denga rinodedera, zuva nomwedzi zvinosviba uye nyeredzi dzinodzima. Jehovha anoomba, ari pamberi pehondo yake; mauto ake haaverengeki, uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake. Zuva raJehovha iguru; rinotyisa kwazvo. Ndiani angamira musi waro? Jehovha anoti, “Tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya nokuchema nokuungudza.” Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi. Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu. Ridzai hwamanda muZioni. Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene, danai vanhu kuungano tsvene. Unganidzai vanhu, munatse ungano iyi, unganidzai pamwe chete vakuru, unganidzai vana, kunyange navachiri kuyamwa. Vachangowanana, murume ngaabude muimba nomwenga muimba yake. Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari. Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha. Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa, chirevo pakati pendudzi. Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’ ” Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, uye achanzwira vanhu vake tsitsi. Jehovha achavapindura achiti, “Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta, zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo, handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi. “Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro, ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko, dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva, uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero. Uye kunhuwa kwadzo kuchakwira; kunhuwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru. Usatya iwe nyika; fara zvako upembere nokuti Jehovha aita zvinhu zvikuru. Musatya, imi mhuka dzesango, nokuti mafuro ava kusvibira. Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo. Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare. Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva uye namafuta. “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta, nemhashu dzegwatakwata, nedzimwe mhashu, uye nefararira remhashu; Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare. Ipapo muchaozoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare. “Uye shure kwaizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo. Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo. Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, pachava neropa nomoto neshongwe dzoutsi. Zuva richashanduka rigova rima, uye mwedzi uchava ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika. Uye ani naani achadana kuzita raJehovha achaponeswa; nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema muchava noruponeso sezvakataurwa naJehovha, pakati pavanopunyuka, avo vachadanwa naJehovha. “Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo, kana ndichinge ndadzosa pfuma yeJudha neyeJerusarema, ndichaunganidza ndudzi dzose ndigoenda nadzo kuMupata waJehoshafati. Ipapo ndichavatonga nokuda kwenhaka yangu, vanhu vangu vaIsraeri, nokuti vakaparadzira vanhu vangu pakati pendudzi, uye vakagovana nyika yangu. Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatsinhanisa vakomana nezvipfeve; vakatengesa vanasikana kuti vagotenga waini yokuti vanwe. “Zvino ndakakutadzirai chiiko, imi Tire neSidhoni, nemi matunhu ose eFiristia? Muri kundiripira chimwe chinhu chandakaita here? Zvino kana muchindiripira, ini ndichadzosera zvamakaita pamisoro yenyu chaiyo nokukurumidza chaizvo. Nokuti makatora sirivha negoridhe yangu, mukatakurawo midziyo yangu yakanakisisa mukandoiisa kutemberi dzenyu. Makatengesa vanhu veJudha neveJerusarema kuvaGiriki kuti muvaendese kure. “Tarirai, ini ndichavamutsa kubva kunzvimbo dzamakavatengesera, uye ndichadzosera pamisoro yenyu chaiyo zvamakaita. Ndichatengesa vanakomana navanasikana venyu kuvanhu veJudha, uye vachavatengesa kuvaShebha, rudzi rwuri kure.” Jehovha ataura. Paridzirai izvi kundudzi dzose: Gadzirirai hondo! Mutsai varwi! Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise. Pfurai mapadza enyu muaite minondo, uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo. Asina simba ngaati, “Ndine simba!” Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose mugoungana ipapo. Haiwa Jehovha, burutsai varwi venyu. “Ndudzi dzose ngadzimutswe, ngadziende kuMupata waJehoshafati, nokuti ipapo ndipo pandichatonga ndudzi dzose kumativi ose enyika. Shandisai majeko enyu pakucheka, nokuti gohwo raibva. Uyai musvine mazambiringa netsoka dzenyu, nokuti chisviniro chazara, uye zvirongo zvopfachukira, uku ndiko, kukura kwakaita uipi hwavo. Vazhinji zhinji, vazhinji zhinji, vari mumupata wokutonga. Nokuti zuva raJehovha rava pedyo mumupata wokutonga. Zuva nomwedzi zvichasviba uye nyeredzi dzichadzima. Jehovha achaomba paZioni, uye achatinhira ari muJerusarema; denga nenyika zvichadedera. Asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake, nhare yavanhu veIsraeri. “Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha Mwari wenyu, ndinogara muZioni, gomo rangu dzvene. Jerusarema richava dzvene; Vatorwa havachazorirwisizve. “Pazuva iroro makomo achachururuka waini itsva, uye zvikomo zvichaerera mukaka, hova dzose dzomuJudha dzichaerera mvura. Chitubu chichaerera chichibva muimba yaJehovha, uye chichadiridzira mupata wemiakasia. Asi Ijipiti ichava dongo, Edhomu ichava gwenga risina basa, Nokuda kwokurwiswa kwakaitwa vanhu veJudha, vakateura ropa risina mhosva munyika yavo. MuJudha muchagara vanhu nokusingaperi, uye nomuJerusarema kusvikira kumarudzi ose. Mhosva yavo yeropa yandisina kuregerera, ndichairegerera, nokuti Jehovha anogara muZioni.” Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri. Akati, “Jehovha anoomba ari paZioni uye anotinhira ari paJerusarema; mafuro avafudzi anooma, pamusoro peKarimeri panosvava.” Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakapura Gireadhi nemipuro ina meno amatare, ndichatumira moto paimba yaHazaeri uchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi. Ndichavhuna suo reDhamasiko; ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni. Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakatapa rudzi rwose uye vakavatengesa kuEdhomu, ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza uchaparadza nhare dzake. Ndichaparadza mambo weAshidhodhi uye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironi kusvikira vaFiristia vose vapera kufa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire, kunyange zvina handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa, vakasacherechedza sungano youkama, ndichatuma moto pamasvingo eTire, uchaparadza nhare dzake.” Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akadzinganisa munun'una wake nomunondo, akaramba kumunzwira tsitsi, nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro, uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimika, ndichatuma moto pamusoro peTemani uchaparadza nhare dzeBhozira.” Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi, kuti awedzere miganhu yake, ndichatungidza moto pamasvingo eRabha uchaparadza nhare dzaro, pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa, pakati pemhepo huru nezuva redutu. Mambo wake achaenda muutapwa, iye namakurukota ake pamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akapisa, kuita madota, mapfupa amambo weEdhomu. Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu uchaparadza nhare dzeKerioti. Moabhu achawira pasi mubope guru pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda. Ndichaparadza mutongi wake uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakaramba murayiro waJehovha uye havana kuchengeta mitemo yake, nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema, vamwari vakateverwa namadzitateguru avo, ndichatuma moto pamusoro peJudha, uchaparadza nhare dzeJerusarema. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaIsraeri, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Vanotengesa vakarurama kuti vawane sirivha, navanoshayiwa kuti vawane shangu. Vanotsika-tsika pamisoro yavarombo savanotsika paguruva, uye vanoshayisa vakadzvinyirirwa kururamisirwa. Baba nomwanakomana vanorara nomusikana mumwe chete, nokudaro vanosvibisa zita rangu dzvene. Vanovata pasi parutivi pearitari imwe neimwe panguo dzakatorwa norubatso. Mumba yamwari wavo vanonwa waini yakatorwa somuripo. “Ndakaparadza Amori pamberi pavo, kunyange akanga akareba somusidhari uye akasimba somuouki. Ndakaparadza zvibereko zvake kumusoro nemidzi yake pasi. “Ndakakubudisa kubva muIjipiti, ndikakutungamirira kwamakore makumi mana murenje, kuti ndikupe nyika yavaAmori. Ndakamutsawo vaprofita kubva pakati pavanakomana venyu, navaNaziri kubva pakati pamajaya enyu. Ichi hachisi chokwadi here, nhai vanhu veIsraeri?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Asi makaita kuti vaNaziri vamwe waini uye mukarayira vaprofita kuti varege kuprofita. “Zvino ipapo ndichakupwanyai sokupwanya kunoita ngoro izere nezviyo. Vanomhanya kwazvo havangapunyuki, vakasimba havangazovi nesimba ravo, uye murwi haangazoponesi upenyu hwake. Anopfura nemiseve haangazoramba amire, murwi anogona kumhanya haangapunyuki, uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake. Kunyange mhare dzakashinga dzichatiza dzisina nguo pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti: “Ndimi moga vandakasarudza pamhuri dzose dzapanyika; naizvozvo ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu zvose.” Ko, vaviri vangafamba pamwe chete vasina kunge vatenderana here? Ko, shumba ingaomba mudondo isina chayaruma here? Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here? Ko, shiri ingawira pasi mumusungo pasina kuteyiwa rugombe here? Ko, musungo ungaurukira kumusoro pasina chawabata here? Hwamanda ingarira muguta, vanhu vakasatya here? Njodzi painowira guta, ko, haazi Jehovha anenge azviita here? Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu asina kuzivisa varanda vake, vaprofita, zvakavanzika zvake. Shumba yaomba, ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha ataura, ndiani angarega kuprofita? Paridzirai nhare dzeAshidhodhi nenhare dzeIjipiti muchiti: “Unganai pamakomo eSamaria; onai kusagadzikana kukuru kuri mukati maro, noudzvinyiriri huri pakati pavanhu varo.” “Havazivi kuita zvakarurama,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ivo vanounganidza zvakapambwa nezvakabiwa munhare dzaro.” Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Muvengi achatora nyika; achawisira pasi nzvimbo dzako uye achapamba nhare dzako.” Zvanzi naJehovha, “Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve, vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo, avo vanogara muSamaria pamicheto yemibhedha yavo, nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.” “Inzwai izvi, mugopupura pamusoro peimba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose. “Pazuva randicharanga Israeri nokuda kwezvivi zvayo, ndichaparadza aritari dzeBheteri; nyanga dzearitari dzichaparadzwa uye dzichawira pasi. Ndichaparadza imba yenguva yechando, pamwe chete neimba yenguva yechirimo; dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwa uye dzimba huru dzichaparadzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani paGomo reSamaria, imi vakadzi vanodzvinyirira varombo uye vanopwanya vanoshayiwa muchiti kuvarume venyu, “Tiunzirei zvokunwa.” Ishe Jehovha apika noutsvene hwake achiti, “Zvirokwazvo nguva ichasvika yamuchatorwa nezvikokovono, vokupedzisira pakati penyu nezviredzo. Muchabuda pakarepo mumwe nomumwe, napakakoromoka masvingo, uye mucharasirwa kunze makananga kuHamoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Endai kuBheteri mundotadza; endai kuGirigari mundowedzera kutadza kwenyu. Uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani namangwanani, zvegumi zvenyu mushure mamakore matatu. Pisai chingwa chine mbiriso sechibayiro chokuvonga muzvirumbidze pamusoro pezvipiriso zvenyu zvokungopa, zvirumbidzei nazvo, imi vaIsraeri, nokuti izvi ndizvo zvamunofarira kuita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Ndakakupai matumbu asina chinhu mumaguta makuru ose uye ndikakushayisai chingwa mumaguta maduku ose, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndakamisawo mvura kuti isanaya kwasara mwedzi mitatu kuti mukohwe. Ndakatumira mvura kuguta rimwe chete ndikasanayisa kune rimwe. Mumwe munda wakawana mvura mumwe wakashayiwa uye ukaoma. Vanhu vakadzedzereka vachibva kune rimwe guta vachienda kune rimwe kundotsvaka mvura, asi havana kuwana yaivaringana kuti vanwe, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kakawanda kwazvo ndakarova mapindu neminda yenyu yemizambiringa, ndakairova nechirwere nokuvhuvha. Mhashu dzakaparadza mionde nemiti yenyu yemiorivhi, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndakatumira hosha pakati penyu sezvandakaita kuIjipiti. Ndakauraya majaya enyu nomunondo, pamwe chete namabhiza enyu akapambwa. Ndakazadza mhino dzenyu nokunhuwa kwemisasa yenyu, asi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndakaparadza vamwe venyu sokuparadza kwandakaita Sodhomu neGomora. Makanga makaita sorukuni runotsva, rwabviswa mumoto, asi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Naizvozvo izvi ndizvo zvandichaita kwauri, Israeri, uye nokuti ndichaita izvi kwauri, gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri.” Iye anoita makomo, ndiye anosika mhepo, ndiyezve anozivisa pfungwa dzake kumunhu, Iye anoshandura mangwanani akava rima, anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Jehovha Mwari Wamasimba Ose ndiro zita rake. Inzwai shoko iri, imi imba yaIsraeri, kuchema uku kwandinoita pamusoro penyu: “Yawira pasi Mhandara Israeri, haingazosimukizve, akasiyiwa ari oga munyika yake, pasina angamusimudza.” Zvanzi naIshe Jehovha, “Guta richaendesa varwi chiuru vakasimba pakati peIsraeri richasarirwa nezana chete; guta richaendesa varwi zana vakasimba richasarirwa negumi chete.” Zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri, “Nditsvakei murarame; musatsvaka Bheteri, musaenda kuGirigari, musaita rwendo rwokuenda kuBheerishebha. Nokuti zvirokwazvo Girigari ichaendeswa kuutapwa, uye Bheteri richava sapasina chinhu. Tsvakai Jehovha mugorarama, mukasadaro achatsvaira imba yaJosefa sezvinoita moto; uchaparadza, uye Bheteri richashaya anoudzima. Imi vanoshandura kururamisira muchikuita gavakava uye muchikandira kururama pasi (Iye akaita nyeredzi dzeChimutanhatu neOrioni, anoshandura rima richiva mambakwedza, uye anoita kuti zuva risvibe huve usiku, anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika, Jehovha ndiro zita rake, kamwe kamwe anoparadza nhare nokuita kuti guta rina masvingo rive dongo), munovenga anorayira padare uye munozvidza anotaura chokwadi. Munotsika pamusoro pomurombo muchimumanikidza kuti akupei zviyo. Naizvozvo, kunyange makavaka dzimba huru dzamabwe, hamungagari madziri; kunyange makasima minda yakasvibira yemizambiringa, hamunganwi waini yayo. Nokuti ndinoziva kuwanda kwemhosva dzenyu nokukura kwakaita zvivi zvenyu. Munodzvinyirira vakarurama uye munotora fufuro, uye munoshayisa varombo kururamisirwa pamatare. Naizvozvo munhu akangwara anonyarara panguva dzakadai, nokuti inguva dzakaipa. Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa, kuti murarame. Ipapo Jehovha Mwari Wamasimba Ose achava nemi, sezvamunoti ndizvo zvaari. Vengai zvakaipa, mude zvakanaka; chengetedzai kururamisira mumatare. Zvichida Jehovha Mwari Wamasimba Ose achanzwira tsitsi vakasara vaJosefa. Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Mwari Wamasimba Ose, “Muchava nokuchema mumigwagwa yose nemhere yokurwadziwa pazvivara zvose. Varimi vachadanwa kuti vazochema uye vanochema vazoungudza. Kuchava nokuungudza muminda yose yemizambiringa, nokuti ndichapfuura napakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Mune nhamo imi munoshuva zuva raJehovha! Sei muchishuva zuva raJehovha? Zuva iro richava rima kwete chiedza. Zvichaita somunhu akatiza shumba achibva asangana nebere, sokunge akapinda mumba make ndokubata madziro noruoko rwake achibva arumwa nenyoka. Ko, zuva raJehovha haringavi rima here, kwete chiedza, rima guru, risina kana bwerazuva? “Ndinovenga, ndinozvidza mitambo yenyu yechinamato; handifadzwi neungano dzenyu. Kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Kunyange mukandivigira zvipiriso zvakaisvonaka zvokuwadzana, handingavi nehanya nazvo. Ibvai pamberi pangu noruzha rwenziyo dzenyu! Handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu. Asi kururamisira ngakuyerere sorwizi, kururama sorukova rusingapwi! “Makandivigira zvibayiro nezvipiriso makore makumi mana muri murenje here, nhai imba yaIsraeri? Makasimudzira temberi yamambo wenyu, chitsiko chezvifananidzo zvenyu, nyeredzi yamwari wenyu, wamakazvigadzirira. Naizvozvo ndichakutamisai muende mberi kweDhamasiko,” ndizvo zvinotaura Jehovha ane zita rinonzi Mwari Wamasimba Ose. Mune nhamo imi makavarairwa muZioni, nemi munofunga kuti mugere pakasimba paGomo reSamaria, imi varume vanozivikanwa vorudzi rukuru, kunoenda vanhu veIsraeri! Endai kuKarine mundoritarisa; muchibvapo moenda kuHamati guta guru, uye mozodzika kuGati muFiristia. Vari nani kupfuura umambo hwenyu huviri here? Munoti zuva rakaipa ngarirege kusvika muchiswededza pedyo utongi hwokuvhundutsira. Munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizorora pazvigaro zvenyu. Munodya makwayana akaisvonaka nemhuru dzakakodzwa. Munoridza zvenyu mbira dzenyu saDhavhidhi, uye munozvigadzirira zviridzwa. Munonwa waini yakawanda, muchizora mafuta akaisvonaka, asi hamuchemi nokuda kwamatongo aJosefa. Naizvozvo muchava pakati pevachatanga kuenda kuutapwa; mabiko enyu nokuzorora kwenyu zvichapera. Ishe Jehovha akapika naiye pachake, Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho, uye ndinovenga nhare dzake; ndichaisa guta kuvavengi nezvose zviri mariri.” Kana varume gumi vakasiyiwa muimba imwe chete naivowo vachafa. Uye kana hama inofanira kupisa mitumbi ikauya kuzovabudisa mumba, uye ikabvunza munhu achakahwanda imomo ichiti, “Pane mumwe waunaye here?” uye akati, “Kwete,” ipapo iye achati, “Nyarara! Hatifaniri kuti titaure zita raJehovha.” Nokuti Jehovha akarayira, uye achaparadza imba huru igoita murwi, nemba duku igoti mwarara. Ko, mabhiza angamhanya paruware here? Ko, pana angaparima ipapo nemombe here? Asi makashandura kururamisira mukakuita muchetura, nezvibereko zvokururama mukazviita gavakava, imi munopembera pakukundwa kweRo Dhibhari uye munoti, “Hatina kuzvitorera Karinaini nesimba redu here?” Nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndichakumutsirai rumwe rudzi kuti rukumukirei, imi imba yaIsraeri, ruchakutambudzai panzira yenyu yose, kubva kuRebho Hamati kusvikira kumupata weArabha.” Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda. Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!” Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.” Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika. Ipapo ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha, ndinokukumbirai, imbomirai henyu. Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!” Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Ishe Jehovha akati, “Izviwo hazvichaitiki.” Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa norwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake. Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.” Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve. “Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo; ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.” Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose. Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi: “ ‘Jerobhoamu achafa nomunondo, uye Israeri ichaenda muutapwa, zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ” Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvakoikoko uchiprofita ikoko. Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.” Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo. Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’ Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti, “Usaprofita pamusoro paIsraeri, uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.” “Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo. Nyika yako ichayerwa igoganhurwa, uyezve iwe pachako uchafira munyika yavahedheni, Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa, kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ” Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva. Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.” Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa uye muchiparadza varombo venyika, muchiti, “Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko kuti tigotengesa zviyo, uye kupera kweSabata kuti tigotengesa gorosi?” muchitapudza chiero, muchikwidza mitengo uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera, muchitenga varombo nesirivha uye vanoshayiwa neshangu, muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi. Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita. “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here uye vose vanogara mairi havangachemi? Nyika yose ichadira seNairi, ichabvongodzwa uye igoderera sorwizi rweIjipiti. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru uye ndichauyisa rima panyika masikati machena. Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema, nokuimba kwose kuti kuve mhere. Ndichaita kuti mose mupfeke masaga uye mugoveura misoro yenyu. Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo. “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “andichatumira nzara panyika yose, kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura, asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha. Vanhu vachadzedzereka vachibva kugungwa vachienda kune rimwe gungwa, uye vachadzungaira vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva, vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani. “Pazuva iro, mhandara dzakaisvonaka namajaya akasimba vachaziya nenyota. Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti, ‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti, ‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’ vachawa, vakasazomukazve.” Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati, “Rova misoro yembiru kuti zvikumbaridzo zvizunguzike. Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose; avo vachasara ndichavauraya nomunondo. Hapana kana mumwe chete achatiza, hapana achapunyuka. Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva, kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora. Kunyange vakakwira kumatenga, kubva ikoko ndichavadzikisa pasi. Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri, ipapo ndichavavhima ndigovabata. Kunyange vakahwanda kubva kwandiri pasi pegungwa, ipapo ndicharayira nyoka kuti ivarume. Kunyange vakaendeswa kuutapwa navavengi vavo, ikoko ndicharayira munondo kuti uvaparadze. Ndichanan'anidza meso angu pavari kuti ndivaitire zvakaipa, kwete zvakanaka.” Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, iye anobata nyika igonyungudika, navose vagere mairi vagochema, nyika yose inokwira seNairi, uye igoderera serwizi rweIjipiti, iye anovaka muzinda wake kumatenga agomisa hwaro hwawo panyika, anodana mvura dzegungwa agodzidururira pamusoro penyika, Jehovha ndiro zita rake. “Nhai imi vaIsraeri, ko, hamuzi kwandiri vamwe chete savaEtiopia here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Handina kubudisa Israeri kubva kuIjipiti here, vaFiristia kubva kuKafitori navaAramu kubva kuKiri? Zvirokwazvo meso aShe Jehovha ari paumambo hunotadza. Ndichahuparadza kubva pamusoro penyika, asi handingaparadzi zvachose imba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndicharayira, uye ndichazunguza imba yaIsraeri pakati pendudzi dzose, sokuzunguzwa kunoitwa zviyo murusero, uye hapana kana tsanga imwe chete ichawira pasi. Vatadzi vose pakati pavanhu vangu vachafa nomunondo, vose vanoti, ‘Njodzi haingatiwiri kana kusangana nesu.’ “Pazuva iro ndichamisazve tende raDhavhidhi rakawa. Ndichavakazve nzvimbo dzaro dzakaputsika, ndigovakazve matongo aro, uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita, kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu nendudzi dzose dzine zita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye achaita zvinhu izvi. “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mucheki paachapfuurwa nomurimi, uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa. Waini itsva ichadonha kubva kumakomo, uye ichayerera kubva pazvikomo zvose. Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri; vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari. Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo. Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo. Ndichasima Israeri munyika yavo voga, havangazodzurwizve kubva panyika yandakavapa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wako. Zvakaratidzwa Obhadhia. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro peEdhomu— Takanzwa shoko rakabva kuna Jehovha richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kuti indotaura ichiti, “Simukai, tiende tindorwa hondo naye”— “Tarirai, ndichakudukupisai pakati pendudzi; muchamhurwa zvachose. Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai, iyemi mugere mumikaha yamatombo muchiita kwakakwirira misha yenyu, imi munoti mumwoyo yenyu, ‘Ndianiko angandiburutsira pasi?’ Kunyange mukabhururuka segondo mukaruka dendere renyu pakati penyeredzi, kubva ipapo ndichakukandai pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kana mbavha dzikauya kwamuri, kana makororo usiku— Haiwa, muchaparadzwa zvakadiniko— havaizoba kusvikira pavanoda here? Dai vatanhi vamazambiringa vaiuya kwamuri, ko, havaizosiya mazambiringa mashoma here? Asi Esau achasiyiwa seiko asina chinhu, pfuma yake yakavigwa ichatorwa! Vose vaiva nesungano newe vachakumanikidza kusvikira kumuganhu; shamwari dzako dzichakunyengera dzigokukunda; vanodya zvokudya zvako vachakuisira musungo, asi haungazvizivi. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingazoparadzi vachenjeri veEdhomu, varume vazere nokunzwisisa pakati pamakomo eEdhomu here? Mhare dzako, iwe Temani, dzichavhunduka, uye vose vari mumakomo aEsau vachaparara pakuurayiwa ikoko. Nokuda kwokuti wakarwisa munun'una wako Jakobho, uchafukidzwa nenyadzi; uchaparadzwa nokusingaperi. Zuva iro makamira kure, vatorwa pavakatakura pfuma yake vakaenda nayo, uye vabvakure vakapinda mumasuo ake, vakakanda mijenya pamusoro peJerusarema, iwe wakaita somumwe wavo. Haufaniri kutarisira munun'una wako pasi, pazuva rokushayiwa kwake, kana kufara pamusoro pavanhu veJudha, pazuva rokuparadzwa kwavo, kana kuzvikudza zvakanyanya pazuva rokutambudzika kwavo. Hamufaniri kufamba napamasuo avanhu vangu, pazuva renjodzi yavo, kana kuvatarisira pasi vava munjodzi, pazuva renjodzi yavo, kana kuvatorera pfuma yavo pazuva renhamo yavo. Hamufaniri kumira pamharadzano dzenzira, kuti muuraye vanotiza vavo, kana kuisa vakasara vavo kuvavengi vavo, pazuva rokutambudzika kwavo. “Zuva raJehovha rava pedyo kundudzi dzose. Sezvamakaita, ndizvo zvichaitwawo kwamuri; mabasa enyu achadzokera pamisoro yenyu chaiyo. Sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvowo ndudzi dzose dzicharamba dzichingonwa; dzichanwa nokunwa dzikaita sedzisina kumbovapo. Asi paGomo reZioni pachava nokununurwa; richava dzvene, uye imba yaJakobho ichadzoserwa nhaka yayo. Imba yaJakobho ichava moto, uye imba yaJosefa murazvo womoto; imba yaEsau ichava mashanga, uye vachaipisa nomoto vagoipedza. Hakuzovi navanopona muimba yaEsau.” Jehovha ataura izvozvo. Vanhu vanobva kuNegevhi vachagara mumakomo aEsau, uye vanhu vanobva munyasi mezvikomo vachatora nyika yavaFiristia kuti ive yavo. Vachatora minda yaEfuremu pamwe chete neSamaria, kuti zvive zvavo, uye Benjamini achatora Gireadhi kuti ive yake. Ungano iyi yavaIsraeri vakadzingwa vagere muKenani ichatora nyika kusvikira kuZarefati; vakadzingwa kubva muJerusarema vagere muSefaradhi vachatora maguta eNegevhi. Vaponesi vachakwira pamusoro peGomo reZioni, kuti vandotonga makomo aEsau. Uye ushe huchava hwaJehovha. Shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti, “Enda kuguta guru reNinevhe undoriparidzira, nokuti kuipa kwaro kwasvika pamberi pangu.” Asi Jona akatiza kubva pamberi paJehovha akananga kuTashishi. Akaburuka akaenda kuJopa, kwaakawana chikepe chaienda ikoko. Mushure mokubvisa mari yokufambisa, akakwira ndokuenda kuTashishi kuti atize kubva kuna Jehovha. Ipapo Jehovha akatuma mhepo huru pagungwa, uye dutu raipenga kwazvo rikamuka zvokuti chikepe chakada kutsemuka-tsemuka. Vafambisi vose vechikepe vakatya uye mumwe nomumwe akachema kuna mwari wake. Vakakanda nhumbi mugungwa kuti chikepe chireruke. Asi Jona akanga aenda pasi mukati muchikepe maakasvikovata uye akakotsira hope huru. Mukuru wavachairi akaenda kwaari akati, “Ungarare sei iwe? Muka udane kuna mwari wako! Zvimwe angatirangarira tikasaparara.” Ipapo vafambisi vechikepe vakati kuno mumwe nomumwe, “Uyai, tikande mijenya kuti tione kuti ndiani aita kuti tiwirwe nenjodzi iyi.” Vakakanda mijenya, mijenya ikawira pana Jona. Saka vakamubvunza vakati, “Tiudze, ndiani aita kuti matambudziko ose aya atiwire? Unoita basa reiko? Unobvepiko? Nyika yako inonzi ani? Uri worudzi rupi?” Akapindura akati, “Ndiri muHebheru, uye ndinonamata Jehovha, Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika.” Izvi zvakavatyisa uye vakabvunza vakati, “Watadzeiko?” (Vaiziva kuti aitiza kubva pamberi paJehovha, nokuti akanga atovaudza kudaro.) Gungwa rakanga rotonyanya kupenga. Saka vakamubvunza vakati, “Ko, tinofanira kuitei kwauri kuti gungwa ritidzikamire?” Akapindura achiti, “Ndisimudzei mundikande mugungwa, ipapo richanyarara. Ndinoziva kuti mhosva yangu ndiyo yaita kuti dutu guru iri rikuwirei.” Pachinzvimbo chaizvozvo varume vakaedza napavaigona napo kuti vadzokere kunyika. Asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakatonyanyisa kupenga kupfuura zvapakutanga. Ipapo vakachema kuna Jehovha vakati, “Haiwa Jehovha, tapota musatiuraya nemhaka youpenyu hwomunhu uyu. Musatipa mhosva yokuuraya munhu asina mhaka, nokuti, iyemi Jehovha maita sokuda kwenyu.” Ipapo vakatora Jona vakamukanda mugungwa, uye gungwa rikanyarara pakupenga kwaro. Nokuda kwaizvozvi vakatya Jehovha kwazvo, uye vakabayira Jehovha chibayiro vakaita mhiko kwaari. Asi Jehovha akatuma hove huru kuti izomedza Jona, uye Jona akava mudumbu mehove kwamazuva matatu nousiku hutatu. Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake. Akati: “Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha, iye akandipindura. Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe, uye imi makanzwa kuchema kwangu. Makandikandira makadzika, mumwoyo chaimo megungwa, uye mvura zhinji ikandikomberedza; mafungu enyu ose namapopoma enyu ose zvakapfuura napamusoro pangu. Ndakati, ‘Ndaraswa kubva pamberi penyu, asi ndichatarirazve ndakaringa kutemberi yenyu tsvene.’ Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa; pakadzikadzika pakandikomberedza; sora regungwa rakamonera musoro wangu. Kumidzi yamakomo ndakanyura; nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi. Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba, imi Jehovha Mwari wangu. “Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza, ndakakurangarirai, imi Jehovha, uye munyengetero wangu wakauya kwamuri, kutemberi yenyu tsvene. “Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo, vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo. Asi ini, norwiyo rwokuvonga, ndichabayira kwamuri. Zvandakapika ndichazvizadzisa. Ruponeso runobva kuna Jehovha.” Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jona kechipiri richiti, “Enda kuguta reNinevhe undoriparidzira shoko randinokupa.” Jona akateerera shoko raJehovha akaenda kuNinevhe. Zvino Ninevhe raiva guta guru kwazvo, rwendo rwamazuva matatu. Pazuva rokutanga Jona akapinda muguta. Akaparidza achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, mushure maizvozvo Ninevhe richaparadzwa.” Vanhu veNinevhe vakatenda kuna Mwari. Vakatara nguva yokutsanya, uye vose zvavo, kubva kumukuru mukuru kusvikira kumuduku duku vakapfeka masaga. Nhau idzi padzakasvika kuna mambo weNinevhe, akasimuka kubva pachigaro chake, akabvisa nguo dzake dzoumambo, akazvifukidza namasaga akagara mumadota. Ipapo akazivisa chirevo muNinevhe, achiti, “Chirevo chamambo namachinda ake: Musarega munhu kana mhuka, chipfuwo kana gwai, zvichiravira chinhu; musazvirega zvichidya kana kunwa. Asi vanhu nemhuka ngavafuke masaga. Munhu wose ngaadane kuna Mwari iye zvino. Ngavasiye nzira dzavo dzakaipa nokuita kwavo nechisimba. Ndiani anoziva? Zvichida Mwari angazvidemba uye netsitsi dzake akazvidzora kubva pakutsamwa kwake kunotyisa kuti tirege kuparara.” Mwari akati aona zvavakaita uye kutendeuka kwavakaita kubva panzira dzavo dzakaipa, akavanzwira tsitsi akasauyisa kuparadzwa pamusoro pavo sezvaaida kuvaitira. Asi Jona haana kufadzwa nazvo uye akatsamwa. Akanyengetera kuna Jehovha akati, “Imi Jehovha, izvi hazvisizvo here zvandakataura ndiri kunyika yangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutiza ndichienda kuTashishi? Ndaiziva kuti muri Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere norudo, Mwari anozvidzora pakutumira zvakaipa. Zvino, imi Jehovha, torai zvenyu upenyu hwangu, nokuti zviri nani kuti ndife zvangu pano kurarama.” Asi Jehovha akapindura akati, “Zvakanaka here kuti utsamwe?” Jona akabuda akaenda akandogara pasi kunze kweguta nechokumabvazuva. Ikoko akazvivakira dumba, akagara mumumvuri waro ndokumirira kuti aone zvaizoitika kuguta. Ipapo Jehovha Mwari akameresa muti womuzambiringa, akauita kuti ukure kumusoro kwaJona kuti uite mumvuri pamusoro pake, kuti shungu dzake dzidzikire, uye Jona akafara kwazvo nokuda kwomuzambiringa. Asi chifumi chezuva rakatevera Mwari akatuma gonye rikadya muzambiringa uyu zvokuti wakasvava. Zuva rakati richibuda, Mwari akatuma mhepo yokumabvazuva yaipisa kwazvo, uye zuva rikabaya pamusoro paJona zvokuti akaziya. Akademba kufa, uye akati, “Zvingava nani kuti ndife zvangu pano kurarama.” Asi Mwari akati kuna Jona, “Zvakanaka here kuti utsamwe nokuda kwomuzambiringa uyu?” Iye akati, “Hongu, ndakatsamwa zvokuti ndife.” Asi Jehovha akati, “Iwe wanga une hanya nomuzambiringa uyu, kunyange zvazvo usina kuuchengeta kana kuukudza. Wakabuda nousiku humwe uye ukaparara nousiku humwe. Asi Ninevhe rine vanhu vanopfuura zviuru zana namakumi maviri avanhu vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi ndorupi kana rworuboshwe ndorupi, uye nemombe zhinjiwo. Handingavi nehanya here neguta iro guru?” Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema. Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose, teerera, iwe nyika navose vari mauri, kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva, Jehovha ari mutemberi yake tsvene. Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yake: anoburuka pasi agotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika. Makomo achanyongodeka pasi pake uye mipata ichapamuka, senamo pamoto, semvura inoyerera pamawere. Zvose izvi zvakaitika nokuda kwokudarika kwaJakobho, nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Hakuzi Samaria here? Nzvimbo yakakwirira yaJudha ndeipiko? Haizi Jerusarema here? “Naizvozvo ndichaita Samaria murwi wamabwe, nzvimbo yokusima minda yemizambiringa. Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu; zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto; ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose. Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve, semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.” Nokuda kwaizvozvo ndichachema nokuungudza; ndichafamba ndisina shangu mutsoka uye ndisina kupfeka. Ndichaungudza segava uye ndichachema sezizi. Nokuti ronda rake harirapiki; rasvika kuna Judha. Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo, kunyange kuJerusarema chaiko. Musazvireva paGati; musambochema. MuBheti Ofira umburukai muguruva. Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara, imi munogara muShafiri. Avo vanogara muZaanani havangabudi kunze. Bheti Ezeri riri mukuchema; kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri. Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuru vakamirira kudzikinurwa, nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha. kunyange pasuo reJerusarema. Imi vanogara muRakishi, sungai mabhiza enyu pangoro. Ndimi makava mavambo echivi kuMwanasikana weZioni, Nokuti kudarika kwaIsraeri kwakawanikwa mamuri. Naizvozvo uchapa zvipo zvokuonekedzana kuna Moresheti Gati. Guta reAkizibhi richaratidza unyengeri. kumadzimambo aIsraeri. Ndichauyisa mukundi kwauri iwe unogara muMaresha. Iye anova kubwinya kwaIsraeri achauya kuAdhuramu. Veurai misoro yenyu mukuchema nokuda kwavana vamunofarira; zviitei musvuu sowegora, nokuti vachabva kwamuri vachienda kuutapwa. Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa, avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo! Pakuedza kwamangwanani vanozviita nokuti zviri musimba ravo kuzviita. Vanochiva minda vagoipamba, nedzimba, uye vagodzitora. Vanobira munhu imba yake, nomuvakidzani nhaka yake. Naizvozvo Jehovha anoti, “Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava, zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri. Hamuchazofambizve muchizvikudza, nokuti ichava nguva yedambudziko. Pazuva iro vanhu vachakutukai; vachakudenhai norwiyo urwu rwokuchema: ‘Taitwa dongo chose; pfuma yavanhu vangu yagovaniswa. Anonditorera! Anopa minda yedu kuna vanotimukira?’ ” Naizvozvo muchashayiwa munhu kana mumwe, muungano yaJehovha, kuti agove nyika nemijenya. Vaprofita vavo vanoti, “Musaprofita, musaprofita pamusoro pezvinhu izvi; kunyadziswa hakungatibati.” Zvingataurwe here, nhai imi imba yaJakobho kuti: “Ko, mweya waJehovha watsamwa here? Iye anoita zvinhu zvakadaro here?” “Ko, mashoko angu haaiti zvakanaka here kuno uyo ane nzira dzake dzakarurama? Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi. Munobvisa majasi anokosha pana avo vanopfuura musina kana hanya, savarume vodzoka kubva kuhondo. Munodzinga madzimai avanhu vangu kubva mudzimba dzavo dzakanaka. Munotora ropafadzo yangu kubva kuvana vavo nokusingaperi. Simukai, ibvai pano! Nokuti ino haisi nzvimbo yenyu yokuzororera, nokuti yakasvibiswa, yakaparadzwa zvisingagadziriki. Kana munyepi nomunyengeri akauya oti, ‘Ndichakuprofitirai waini zhinji nedoro,’ iyeyu achava muprofita wavanhu ava! “Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri. Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu, seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu. Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo; vachapwanya napasuo vagobuda panze. Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo, Iye Jehovha achivatungamirira.” Ipapo ndakati, “Teererai imi vatungamiri vaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri. Hamufaniri kuziva kururamisira here, imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa; munofunura ganda pamapfupa; munodya nyama yavanhu vangu, munobvisa ganda ravo, muchivhuna mapfupa avo kuita zvidimbu; munovatema-tema senyama yomupani, senyama yomuhari?” Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavadaviri. Panguva iyoyo achavanza chiso chake kwavari nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Zvanzi naJehovha, “Kana vari vaprofita vanotsausa vanhu vangu, kana mumwe akavapa zvokudya, vanodanidzira kuti ‘Rugare’; kana akasavapa, vanogadzirira kumurwisa. Naizvozvo usiku huchauya pamusoro pako, pasina zviratidzo, nerima, pasina kuuka. Zuva richavirira vaprofita, uye masikati achavasvibira. Vaoni vachanyadziswa uye vauki vachanyadziswa. Vachafukidza zviso zvavo nokuti hakuna mhinduro inobva kuna Jehovha.” Asi kana ndirini, ndizere nesimba, noMweya waJehovha, uye nokururamisira nesimba, kuti ndizivise Jakobho kudarika kwake. Inzwai izvi, imi vatungamiri veimba yaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri, munozvidza kururamisira uye munominamisa zvose zvakanaka; munovaka Zioni nokudeura ropa, uye Jerusarema nouipi. Vatungamiri varo vanotongera fufuro, vaprista varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, uye vaprofita varo vanoprofita kuti vapiwe mubayiro. Asi vanozendama pana Jehovha voti, “Ko, Jehovha haasi pakati pedu here? Hapana njodzi ingatiwira.” Naizvozvo nokuda kwenyu, Zioni richarimwa somunda, Jerusarema richava murwi wamabwe, pachikomo pamire temberi, pachava dondo. Mumazuva okupedzisira gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa segomo guru pakati pamakomo; richasimudzwa pamusoro pezvikomo, uye marudzi achaenda kwariri. Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai, handei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho. Achatidzidzisa nzira dzake, kuti tigofamba munzira dzake.” Murayiro uchabuda kubva paZioni, shoko raJehovha kubva paJerusarema. Achatonga pakati pamarudzi mazhinji nokupedza gakava pandudzi dzine simba dziri kure kure. Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza. namapfumo vachiaita mapanga okuchekerera miti. Rudzi harungasimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzirizve kurwa. Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, napasi pomuonde wake, uye hapana anozovaita kuti vatye, nokuti Jehovha Wamasimba Ose ataura. Ndudzi dzose dzingafamba muzita ravamwari vadzo; isu tichafamba muzita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Ndichaunganidza vakaremara; ndichaunganidza vakadzingwa neavo vandakatambudza. Ndicharemadza vakasara, vaya vakadzingwa ivo rudzi rwakasimba. Jehovha achavatonga paGomo reZioni kubva pazuva iroro nokusingaperi. Kana uri iwe, chirindo cheboka iwe nhare yoMwanasikana weZioni, ushe hwakare huchadzoswa kwauri; umambo huchauya kuMwanasikana weJerusarema.” Sei muchiridza mhere iye zvino, hamuna mambo here? Gota renyu raparara here zvokuti kurwadza kwakubatai sekwomukadzi anosununguka? Tambura ugomere, iwe Mwanasikana weZioni, somukadzi ari pakusununguka, nokuti zvino unofanira kubuda muguta undogara kusango. Uchaenda kuBhabhironi; ikoko uchandonunurwa. Ikoko Jehovha achakudzikinura kubva paruoko rwavavengi vako. Asi zvino ndudzi zhinji dzakaunganira kukurwisa. Vanoti, “Ngaasvibiswe, maziso edu ngaatarise Zioni!” Asi havazivi pfungwa dzaJehovha; havanzwisisi kuronga kwake, iye anovaunganidza sezvisote paburiro. “Simuka upure, iwe Mwanasikana weZioni, nokuti ndichakupa nyanga dzendarira; ndichakupa mahwanda outare uye uchapwanya kuita zvidumbu ndudzi zhinji.” Uchatsaurira kuna Jehovha zvavakazviwanira nenzira dzavo, upfumi hwavo kuna Ishe wenyika yose. Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto, nokuti takombwa nomuvengi. Vacharova mutongi waIsraeri padama netsvimbo. “Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare.” Naizvozvo Israeri achasiyiwa kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara uye hama dzake dzose dzadzoka kuzobatana navaIsraeri. Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika. Uye iye achava rugare rwavo. Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo, nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa. Achatirwira kubva kumuAsiria paachapinda munyika yedu nokupinda pamiganhu yedu. Vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi akawanda, sedova rinobva kuna Jehovha, sokunaya kwemvura pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugaririra vanhu. Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi, pakati poruzhinji rwamarudzi, seshumba pakati pezvikara zvesango, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inotsika nokubvambura ichienda, uye pasina anogona kununura. Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu uye ndichapwanya ngoro dzenyu. Ndichaparadza maguta enyika yenyu uye ndichaputsa muzinda yenyu yose. Ndichaparadza uroyi hwako uye hauchazovizve navavuki. Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamuchazokotamiri kubasa ramaoko enyu. Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera uye ndichaparadza maguta enyu. Ndichatsiva nokutsamwa nehasha kundudzi dzisina kunditeerera.” Teererai zvinotaurwa naJehovha: “Simukai, taurai nyaya yenyu pamberi pamakomo; zvikomo ngazvinzwe zvamunoda kutaura. Chinzwai imi makomo, kupomera kwaJehovha; teererai, imi hwaro hwenyika hunogara nokusingaperi. Nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake; anopa Israeri mhosva. “Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai? Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei. Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda. Ndakatuma Mozisi kuti azokutungamirirai, naAroniwo naMiriamu. Vanhu vangu, rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori. Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari, kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.” “Ndichauya neiko pamberi paJehovha. Uye ndigokotamira pamberi paMwari anokudzwa? Ndingauye pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa nemhuru dzine gore rimwe here? Ko, Jehovha angafadzwa nezviuru zvamakondohwe, uye nezviuru gumi zvenzizi dzamafuta here? Ndingapa dangwe rangu nokuda kwokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pokutadza kwomweya wangu here? Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye kuti ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa. Teererai! Jehovha anodanidzira kuguta, uye kutya zita renyu ndihwo uchenjeri: “Chenjererai shamhu naIye akaituma. Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa, upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa, nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa? Ndingaregerera munhu ane chiero chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here? Vapfumi vake vanoita nechisimba; vanhu vake varevi venhema, uye miromo yavo inotaura nokunyengera. Naizvozvo, ndatotanga kukuparadzai, kukuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu. Muchadya asi hamungaguti: dumbu renyu richaramba risina chinhu. Muchaisa mudura asi mugoshaya zvamachengeta, nokuti zvamunounganidza ndichazviparadza nomunondo. Muchadyara asi hamungakohwi; muchasvina maorivhi asi hamungazori mafuta acho, muchasvina mazambiringa asi hamunganwi waini yacho. Makachengeta zvirevo zvaOmari uye namabasa ose eimba yaAhabhu, uye makatevera tsika dzavo. Naizvozvo ndichakuisai mukuparadzwa, nevanhu venyu mukusekwa; muchatakura kushorwa kwendudzi.” Inhamoi yandinayo! Ndafanana nouya anounganidza michero yezhizha inosara mumunda wemizambiringa pakukohwa; hapana sumbu ramazambiringa rokudya, kana maonde okutanga andinopanga. Vanhu vano umwari vabviswa panyika; hapana mumwe akarurama asara. Vanhu vose vanovandira kuti vateure ropa; mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure. Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo, mutongi anotambira fufuro, vane simba vanomanikidzira zvido zvavo; vose vanozvironga pamwe chete. Akanaka kupfuura vose akangoita sorukato, vakarurama kupfuura vose vakaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa. Zuva renharirire dzenyu rasvika, zuva rokushanyirwa kwenyu naMwari. Zvino ino ndiyo nguva yokukanganiswa kwavo. Rega kuvimba nomuvakidzani wako; usavimba neshamwari yako. Kunyange nomukadzi wawakagumbatira, uchenjerere mashoko ako. Nokuti mwanakomana anozvidza baba vake, mwanasikana anomukira mai vake, muroora anomukira vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu vemhuri yake. Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha, ndinomirira Mwari Muponesi wangu; Mwari wangu achandinzwa. Usafara pamusoro pangu, iwe muvengi wangu! Kunyange ndakawira pasi, ndichasimuka. Kunyange ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu. Nokuti ndakamutadzira, ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, kusvikira andireverera mhosva yangu nokusimbisa kodzero yangu. Achandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake. Ipapo muvengi wangu achazviona uye achafukidzwa, iye akati kwandiri, “Aripiko Jehovha Mwari wako?” Meso angu achaona kuwa kwake; kunyange iye zvino achatsikwa pasi petsoka sematope mumigwagwa. Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, zuva rokuwedzerwa kwemiganhu yenyu. Pazuva iro vanhu vachauya kwauri vachibva kuAsiria namaguta eIjipiti, kunyange kubva Ijipiti kusvikira kuYufuratesi, uye kubva kugungwa kusvika kune rimwe gungwa, nokubva kugomo kusvika kune rimwe gomo. Nyika ichava dongo nokuda kwavagari vayo, nokuda kwamabasa avo. Fudza vanhu vako nomudonzvo wako, boka renhaka yako, rinogara roga musango, mumafuro akanaka. Rega afure muBhashani reGireadhi samazuva ekare. “Sapamazuva amakabuda kubva muIjipiti, ndichavaratidza zvishamiso zvangu.” Ndudzi dzichazviona uye dzichanyadziswa, dzisisina simba radzo rose. Vachabata miromo yavo uye nzeve dzavo dzichadzivira. Vachananzva guruva senyoka, sezvipuka zvinokambaira pasi. Vachabuda vachidedera kubva munzvimbo dzavo dzokuvanda; vachadzoka vachitya kuna Jehovha Mwari wedu, uye vachakutyai. Ndiani Mwari akaita semi, anoregerera chivi uye anokanganwira kudarika kwavakasara venhaka yake? Hamugari makatsamwa nokusingaperi, asi munofarira kunzwira ngoni. Muchava nenyasha kwatiri zvakare; muchatsikira zvivi zvedu pasi petsoka uye muchakanda kuipa kwedu kwose pakadzikadzika mugungwa. Muchava makatendeka kuna Jakobho, mucharatidza nyasha kuna Abhurahama, sezvamakapika mhiko kumadzibaba edu mumazuva akare. Chirevo pamusoro peNinevhe. Bhuku rezvakaonekwa naNahumi muErikoshi. Jehovha ane godo uye ndiMwari anotsiva; Jehovha anotsiva uye azere nehasha. Jehovha anotsiva kuvavengi vake uye anochengetera vavengi vake hasha dzake. Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru; Jehovha haangasiyi ane mhosva asina kurangwa. Nzira yake iri muchamupupuri nedutu, uye makore ndiwo guruva retsoka dzake. Anotuka gungwa agoriomesa; anoita kuti nzizi dzose dziome. Bhashani neKarimeri zvasvava uye kutumbuka kweRebhanoni kwapera. Makomo anodengenyeka pamberi pake uye zvikomo zvinonyungudika. Nyika inodedera pamberi pake, nyika uye navose vanogara mairi. Ndiani angadzivisa hasha dzake? Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa? Hasha dzake dzadururwa somoto; matombo apwanyika pamberi pake. Jehovha akanaka, utiziro panguva dzokutambudzika. Anochengeta avo vanovimba naye, asi namafashamu ane simba guru, achaparadza Ninevhe; achateverera vavengi vake kusvikira murima. Zvose zvavakaronga pamusoro paJehovha iye achazviparadza; dambudziko haringauyi kechipiri. Vachakorokodzwa pakati peminzwa uye vachadhakwa newaini yavo; vachaparadzwa samashanga akaoma. Kubva mauri, iwe Ninevhe, pane mumwe akabuda anoronga zvakaipa pamusoro paJehovha uye anopa zano rakaipa. Zvanzi naJehovha, “Kunyange vane vabatsiri uye vakawanda, vachaurayiwa vakasazovapozve. Kunyange ndakakutambudza, iwe Judha, handichazokutambudzizve. Zvino ndichavhuna joko ravo kubva pamutsipa wako uye ndichadambura ngetani dzako.” Jehovha arayira shoko pamusoro pako, iwe Ninevhe, rokuti, “Hauchazovi nezvizvarwa zvinopiwa zita rako. Ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa, zviri mutemberi yavamwari vako. Ndichachera guva rako, nokuti iwe wakaipa kwazvo.” Tarira, pamakomo apo, tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Pemberera mitambo yako, iwe Judha, uye uzadzise mhiko dzako. Vakaipa havachakurwisazve; vachaparadzwa zvachose. Murwisi anouya kuzokurwisa iwe, Ninevhe; rindai nhare, tarirai kunzira, sungai zviuno zvenyu, unganidzai simba renyu rose! Jehovha achadzosa kurumbidzwa kwaJakobho sokurumbidzwa kwaIsraeri, kunyange vaparadzi vakavaparadza uye vakaparadza mizambiringa yavo. Nhoo dzavarwi vake dzatsvuka; mhare dzokurwa dzapfeka nguo tsvuku. Matare engoro ovaima pazuva rokugadzirirwa kwadzo; mapfumo omupaini anovheyeswa-vheyeswa. Ngoro dzovirima mumigwagwa, dzinomhanya dzichienda nokudzoka muchivara. Dzinoita samazhenje omoto; dzinomhanya-mhanya semheni. Anodana mauto ake akasarudzwa, asi vanogumburwa panzira yavo. Vanomhanyira kurusvingo rweguta; nhoo yokuzvidzivirira yaiswa panzvimbo payo. Masuo enzizi azarurwa uye muzinda wamambo wakoromoka. Shoko ratemwa rokuti guta ritapwe, uye riendeswe kure. Varandakadzi varo vanochema senjiva uye vanorova zvipfuva zvavo. Ninevhe rakafanana nedziva, uye mvura yaro iri kuerera ichipera. Vanochema vachiti, “Mirai! Mirai!” asi hapana anocheuka. Pambai sirivha! Pambai goridhe! Kuwanda kwazvo hakuperi, ihwo upfumi hunobva pamhando dzose dzepfuma yaro! Rabirwa, rapambwa, ratorerwa zvose! Mwoyo yanyungudika, mabvi odedera, miviri yobvunda, zviso zvose zvacheneruka. Riripiko bako reshumba, nzvimbo yadzaipira vana vadzo zvokudya, kwaienda shumba nehadzi yayo, uye navana, pasina chokutya. Shumba yakauraya zvaikwanira vana vayo uye yakadzipira hadzi yayo nyama, ichizadza mapako ayo nezvayakauraya uye mapako ayo nenyama. “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndichapisa ngoro dzenyu dzive utsi, uye munondo uchaparadza shumba dzenyu duku. Ndichakusiyai musina nyama panyika. Mazwi enhume dzako haangazonzwikizve.” Rine nhamo guta reropa, rizere nenhema, rizere nezvakapambwa, harigari risina varinotambudza! Kurira kwetyava, utsvikitsviki hwamavhiri, mutsindo wamabhiza nomubvumo wokutinhira kwengoro! Kumhanya kwavatasvi vamabhiza, kupenya kweminondo namapfumo anovaima! Vazhinji vakaurayiwa, mirwi yevakafa, mitumbi isingaverengeki, vanhu vachigumburwa nezvitunha. Zvose izvi nokuda kwokuchiva kuzhinji kwechifeve, chinokwezvera, mukuru wouroyi, akatapa ndudzi noufeve hwake namarudzi avanhu nouroyi hwake. “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndicharatidza ndudzi kushama kwako namadzimambo kunyadziswa kwako. Ndichakukandidzira tsvina, ndichakuita akazvidzika uye ndichakuita chiseko. Vose vachakuona vachakutiza uye vachati, ‘Ninevhe raparara, ndiani acharichema?’ Ndingawana kupi munhu angakunyaradza?” Uri nani kupfuura Tebhesi here, rakavakwa paNairi, rakakomberedzwa nemvura? Rwizi ndirwo rwairidzivirira, mvura ruri rusvingo rwaro. Etiopia neIjipiti ndizvo zvaiva simba rayo guru; Puti neRibhiya dzaiva pakati pavabatsiri vayo. Kunyange zvakadaro yakatapwa ikaendeswa muutapwa. Vacheche varo vakaputsanyiwa kumavambo kwemigwagwa yose. Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo, uye vakuru vavo vakasungwa nengetani. Newewo uchadhakwa; uchavanda ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako. Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde ine michero yokutanga yaibva; paanozunzwa, maonde anodonhera mumuromo momudyi. Tarira mauto ako, vose vakadzi! Masuo enyika yako akazarurirwa kuvavengi vako; moto waparadza mazariro awo. Cherai mvura kuitira kukombwa simbisai nhare dzenyu! Gadzirai ivhu, kanyai dhaka, mugadzire zvidhina zvenyu! Moto uchakuparadzai imomo; munondo uchakuurayai, uye uchakuparadzai semhashu. Berekanai semhashu, muberekane sehwiza! Makawedzera uwandu hwavatengesi venyu kusvikira vapfuura nyeredzi dzedenga kuwanda. Asi sehwiza, vanoparadza nyika vobhururuka vachienda. Varindi venyu vakaita sehwiza, machinda enyu segundamusaira rehwiza dzinomhara pamadziro musi wakunotonhora, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, uye hapana anoziva kuti kupi. Iwe mambo weAsiria, vafudzi vako vanotsumwaira; machinda ako anorara pasi kuti azorore. Vanhu vako vakapararira pamusoro pamakomo pasina angavaunganidza. Hapana chingarapa ronda rako; kukuvara kwako kwakaipisisa. Mumwe nomumwe anonzwa nezveguhu rako anoombera maoko ake pakuwa kwako, nokuti ndianiko asina kunzwa utsinye hwako husina magumo? Chirevo chakaratidzwa muprofita Habhakuki. Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko, asi musingandinzwi? Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!” asi hamundiponesi? Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira? Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu; pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda. Naizvozvo murayiro hauchisina simba, uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi. Vakaipa vanokomba vakarurama, zvokuti kururamisira kunominamiswa. “Tarisa kumarudzi avanhu, ucherechedze, ugoshamiswa zvirokwazvo. Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa. Ndiri kumutsa vaBhabhironi ruya rudzi runo utsinye, rune hasha, runopararira pasi pose kuti rubvute nzvimbo dzokugara dzisiri dzavo. Vanhu vanotyisa uye vanovhundukwa; vasina murayiro uye vanongozvitsvakira kukudzwa. Mabhiza avo anomhanya kukunda ingwe, anotyisa kukunda mhumhi mumadekwana. Mauto avo amabhiza anomhanya asingadzoki; vatasvi vamabhiza vanobva kure kure. Vanobhururuka segora rinotsvaka kuparadza; vanouya vose kuzoita zvechisimba. Mapoka avo ehondo anouya semhepo inovhuvhuta mugwenga vachiunganidza nhapwa sejecha. Vanozvidza madzimambo uye vanomhura vatongi. Vanoseka maguta ose akasimbiswa; vanovaka zvikomo zvevhu voatapa. Ipapo vanopfuura semhepo, vanopfuura vasingamiri, varume vane mhosva, simba ravo ndiye mwari wavo.” Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here? Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi. Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge; imi Dombo, makavagadza kuti varange. Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa; hamungatenderi zvakaipa. Sei zvino muchitendera vanyengeri? Ko, munonyararirei kana vakaipa vachimedza vanovapfuura mukururama? Sei makaita kuti vanhu vave sehove dzegungwa, sezvisikwa zvegungwa zvisina mutongi. Muvengi anovaredza vose nezviredzo, anovabata mumumbure wake, achivakokorodza murutava rwake; naizvozvo anopembera nomufaro. Naizvozvo anopisira zvibayiro kumumbure wake, uye anopisira zvinonhuwira kumumbure wake, nokuti anogarika nokuda kwomumbure wake, anodya zvokudya zvakaisvonaka. Ko, acharamba achingodurura zviri mumumbure wake, achingoparadza ndudzi asina tsitsi here? Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda ndichazviisa panzvimbo yakakwirira; ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku. Ipapo Jehovha akapindura achiti, “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya. Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki. “Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake. Zvirokwazvo, waini inomupandukira; anozvikudza uye haazombozorori. Nokuti anokara sezvinoita guva (Sheori) uye sorufu haaguti, anozviunganidzira ndudzi dzose uye anotapa marudzi ose avanhu. “Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti, “ ‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa achizvipfumisa nepfuma yakapambwa! Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’ Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here? Havangazomuki vakakuvhundutsai here? Ipapo ndimi muchava vakapambwa. Nokuti makapamba ndudzi zhinji, vakasara vachakupambai, nokuda kweropa ravanhu ramakateura; makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo. “Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa achivaka dendere rake pakakwirira, kuti apukunyuke panjodzi! Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda, muchinyadzisa imba yenyu, nokuparadza upenyu hwenyu. Mabwe ari murusvingo achadanidzira, ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira. “Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa uye anosimbisa guta nezvakaipa. Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto, uye kuti marudzi avanhu anongozvinetsa nezvisina maturo? Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa. “Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka, achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa, kuti aone kushama kwavo. Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa. Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke! Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri, kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu. Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakufukidzai, nokuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai. Nokuti makateura ropa ravanhu; makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo! “Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura. Ane nhamo anoti kudanda, “Rarama!” Kana kubwe risingagoni kutaura, “Muka!” Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku. Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.” Munyengetero wamuprofita Habhakuki unoimbwa neshigionoti. Jehovha, ndakanzwa zvomukurumbira wenyu; haiwa Jehovha, ndinomira ndichitya mabasa enyu. Avandudzei pamazuva edu, panguva yedu ngaaziviswe; pakutsamwa kwenyu rangarirai tsitsi. Mwari akabva kuTemani, iye Mutsvene akabva kuGomo reParani. Sera Umambo hwake hwakazadza matenga uye mbiri yake yakazadza nyika. Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva; bwerazuva hwakapenya huchibva muruoko rwake, makanga makavigwa simba rake. Hosha yakaenda ichibva pamberi pake; denda rakatevera nhambwe dzake. Akamira, akazungunusa nyika; akatarisa, akabvundisa ndudzi dzavanhu. Makomo akare kare akakoromoka uye zvikomo zvakare zvakawira pasi. Nzira dzake dzinogara nokusingaperi. Ndakaona matende eKushani ari panhamo, nzvimbo dzokugara dzeMidhiani dziri pakutambudzika. Ko, makanga matsamwira nzizi here, Makanga matsamwira zvikova here, nhai Jehovha? Makanga matsamwira gungwa here pamakafambisa mabhiza enyu nengoro dzenyu dzokukunda? Makabudisa pachena uta hwenyu, mukadaidzira miseve mizhinji. Sera Makatsemura nyika nenzizi; makomo akakuonai akadedera. Mvura zhinji yakapfuura; kudzika kwakatinhira kukasimudza mafungu pamusoro. Zuva nomwedzi zvakambomira kumatenga zvichiona kuvaima kwemiseve yenyu yaipfuura, zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya. Mukutsamwa kwenyu makapfuura napanyika uye mukushatirwa kwenyu makarasa ndudzi. Makauya kuzonunura vanhu venyu, kuzoponesa muzodziwa wenyu. Makaparadza mutungamiri wenyika yavakaipa, mukamufukura kubva kumusoro kusvika kutsoka. Sera Nepfumo rake chairo makabaya musoro wake, pakauya varwi vake sechamupupuri kuzotiparadzira, vachifara savanoda kuparadza vanotambudzika vakanga vakavanda. Makatsika-tsika gungwa namabhiza enyu, mukabvongodza mvura zhinji. Ndakazvinzwa, hana yangu ikarova, miromo yangu yakadedera pandakanzwa maungira; kuora kwakapinda mumapfupa angu, makumbo angu akadedera. Asi ndichamirira hangu zuva renjodzi kuti riuye pamusoro porudzi ruchatirwisa. Kunyange dai muonde ukasatunga maruva, uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko, kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, uye minda ikasabereka zvokudya, kunyange dai kukasava namakwai muchirugu uye mombe dzikashayikwa mumatanga. kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu. Ishe Jehovha ndiye simba rangu; anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo, anondifambisa pamatunhu akakwirira. Kumutungamiri wokuimba, nemitengeranwa yangu. Shoko raJehovha rakasvika kuna Zefania, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedhara, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, pamazuva okutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha richiti, “Ndichatsvaira zvose kubva pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichatsvaira zvose vanhu nemhuka; ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa. Vakaipa vachasara nemirwi yamarara chete, kana ndabvisa munhu pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha uye ndicharwisa vose vanogara muJerusarema. Ndichaparadza kubva panzvimbo ino vose vakasara vaBhaari, mazita avaprista vechihedheni vanonamata zvifananidzo, vaya vanopfugama pamusoro pedzimba kuti vanamate nyeredzi dzedenga, vaya vanopfugama vachipika naJehovha uye vanopikawo naMoreki, vaya vanotsauka kubva pakutevera Jehovha uye vasingatsvaki Jehovha kana kubvunza kwaari. Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nokuti zuva raJehovha rava pedyo. Jehovha agadzirira chibayiro; akavaita vatsvene, vaya vaakakoka. Pazuva rechibayiro chaJehovha, ndicharova machinda navanakomana vamambo, navaya vose vakapfeka nguo dzavatorwa. Pazuva iro ndicharova vose vanonyenyeredza kuti vasatsika paburiro, vanozadza temberi yavamwari vavo nechisimba nounyengeri. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuchema kuchanzwika kubva kuSuo reHove, kuungudza kubva kuRutivi Rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kubva kuzvikomo. Ungudzai imi munogara munharaunda yomusika, vashambadzi venyu vose vachaparadzwa, vose vanotengesa nesirivha vachaparadzwa. Panguva iyoyo ndichanzvera Jerusarema nomwenje; uye ndicharanga vaya vagere zvavo, vakaita sewaini yakasiyiwa mumasese ayo, vanofunga kuti, ‘Jehovha hapana zvaangaita, zvakanaka kana zvakaipa.’ Upfumi hwavo huchapambwa, dzimba dzavo dzichaputswa, vachavaka dzimba, asi havangagari madziri; vachasima minda yemizambiringa, asi havanganwi waini yacho. “Zuva guru raJehvha rava pedyo pedyo, uye riri kuuya nokukurumidza. Teererai! Kuchema pazuva raJehovha kucharwadza, kuchema kwemhere ipapo. Zuva iro richava rokutsamwa, zuva rokudzungaira nokumanikidzwa, zuva rokutambudzika nokuparadzwa, zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nezarima. Zuva rehwamanda nemhere yehondo yokurwisa maguta akakomberedzwa namasvingo, nokurwisa shongwe dzomumakona. Ndichauyisa kudzungaira pavanhu uye vachafamba samapofu, nokuti vakatadzira Jehovha. Ropa ravo richadururwa seguruva, uye nyama yavo sendove. Sirivha yavo kana goridhe ravo hazvingagoni kuvaponesa, pazuva rokutsamwa kwaJehovha. Mumoto wegodo rake nyika yose ichaparadzwa, nokuti achauyisa magumo pakarepo kuna vose vanogara panyika.” Unganai, unganai, imi rudzi runonyadzisa, nguva dzakatarwa dzisati dzasvika uye zuva iroro risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rehasha dzaJehovha risati rauya pamusoro penyu. Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro vapanyika, imi mose munoita zvaakarayira. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungadzivirirwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha. Gaza richasiyiwa uye Ashikeroni richasiyiwa rava dongo. Pamasikati makuru Ashidhodhi richasiyiwa risisina chinhu uye Ekironi radzurwa. Mune nhamo imi munogara pedyo negungwa, imi vanhu veKereti; shoko raJehovha rinokurwisa, iwe Kenani nyika yavaFiristia. “Ndichakuparadza, uye hapana achasara.” Nyika iri pedyo negungwa, panogara vaKereti, ichava nzvimbo yavafudzi namatanga ehwai. Ichava yavakasara veimba yavaJudha; vachawana mafuro ikoko. Mumadekwana vachavata pasi mudzimba dzaAshikeroni. Jehovha Mwari wavo achavachengeta; Achavadzorera pfuma yavo. “Ndakanzwa kutuka kwaMoabhu nokuzvidza kwavaAmoni, avo vakatuka vanhu vangu uye vakatyisidzira nyika yavo. Naizvozvo, zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “zvirokwazvo Moabhu achaita seSodhomu, vaAmoni seGomora, nzvimbo yesora namakomba emunyu, matongo nokusingaperi. Vakasara vavanhu vangu vachavapamba; vachararama vorudzi rwangu vachagara nhaka yenyika yavo.” Izvi zvavachawana nokuda kwokuzvikudza kwavo, nokuti vakatuka uye vakadadira vanhu vaJehovha Wamasimba Ose. Jehovha achava anotyisa kwavari paachaparadza vamwari vose venyika. Ndudzi pamahombekombe ose dzichamunamata, rudzi rumwe norumwe munyika yarwo. “Nemiwo, imi vaEtiopia, muchaparadzwa nomunondo wangu.” Achatambanudza ruoko rwake kuti arwise nyika yokumusoro agoparadza Asiria, achasiya Ninevhe rava dongo zvachose uye raoma segwenga. Mapoka amakwai nemombe zvichavata pasi imomo, nezvipuka zvamarudzi ose. Zizi romurenje nezizi romurwizi zvichavata pamusoro pembiru dzavo. Kudana kwazvo kuchaungira nomumawindo, marara achava pamisuo yavo, mapango omusidhari achasiyiwa pachena. Iri ndiro guta risina hanya raigara vakachengetedzeka. Rakati mumwoyo maro, “Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.” Razova dongo rakadii, nzvimbo inovata mhuka dzesango! Vose vanopfuura napariri vanoseka Uye vanokunga zvibhakera zvavo. Rine nhamo guta ravamanikidzi, rakapanduka uye rikasvibiswa! Harina warinoteerera, harigamuchiri kudzorwa. Harivimbi naJehovha, hariswederi pedyo naMwari waro. Machinda aro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, vasingasiyi chinhu chamangwanani. Vaprofita vavo vanozvikudza; vanhu vanonyengera. Vaprista varo vanozvidza nzvimbo tsvene uye vanoputsa murayiro. Jehovha ari mariri mutsvene; haaiti zvakaipa. Mangwanani oga oga anotonga nokururamirisa kwake, zuva rimwe nerimwe idzva anoriuyisa, asi vasakarurama havanyari. “Ndakaparadza ndudzi; shongwe dzavo dzakaparara. Ndakasiya nzira dzavo dzisisafambwi, hapasisina anopfuura nomo. Maguta avo akaparadzwa; hapana achasiyiwa, kana mumwe zvake. Ndakati kuguta, ‘Zvirokwazvo uchanditya ugogamuchira kudzorwa!’ Ipapo vagari varo havangaparadzwi, kana kuranga kwangu kwose hakungauyi pariri. Asi vakanga vachine shungu dzokuita uori pakuita kwavo kwose. “Naizvozvo ndimirirei,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zuva randichasimuka kuti ndigopupura. Ndafunga kuunganidza ndudzi, kuunganidza ushe hwose uye nokudurura hasha dzangu pavari, kutsamwa kukuru kwangu kwose. Nyika yose ichaparadzwa nomoto wegodo rokutsamwa kwangu. “Ipapo ndichachenesa miromo yavanhu, kuti vose zvavo vadane kuzita raJehovha uye vamushumire nomwoyo mumwe. Kubva mhiri kwenzizi dzeEtiopia vanamati vangu, vanhu vangu vakapararira, vachandiunzira zvipiriso. Pazuva iro hamungaiswi pakunyadziswa nokuda kwezvakaipa zvamakandiitira, nokuti ndichabvisa kubva muguta rino vaya vanofara mukuzvikudza kwavo. Hamungazovizve namanyawi pagomo rangu dzvene. Asi ndichasiya pakati penyu vanyoro vanozvininipisa, vanovimba nezita raJehovha. Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa; havangarevi nhema, uye kunyengera hakuzowanikwi mumiromo yavo. Vachadya uye vagorara pasi, uye hapana angavatyisa.” Imba, iwe Mwanasikana weZioni, danidzira, iwe Israeri! Fara ugofarisisa nomwoyo wako wose, iwe Mwanasikana weJerusarema! Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose, adzinga muvengi wako. Jehovha, Mambo waIsraeri, anewe; hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho. Pazuva iro vachati kuJerusarema, “Usatya, iwe Zioni; usarega maoko ako achishayiwa simba. Jehovha Mwari wako anewe, ndiye ane simba rokuponesa. Achafadzwa zvikuru newe, achakunyaradza norudo rwake, achafara nokuda kwako nokuimba.” “Matambudziko emitambo yakatarwa ndichaabvisa kwauri; iwo mutoro nokuzvidzwa kwauri. Panguva iyoyo ndichatonga vose vakakumanikidza; ndichanunura vakaremara uye ndichaunganidza vaya vakaparadzirwa. Ndichavapa rumbidzo norukudzo munyika dzose dzavakaiswa pakunyadziswa. Panguva iyoyo ndichakuunganidzai; Panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha. Ndichakupai rukudzo nerumbidzo pakati pavanhu vose vapanyika, pandichadzora pfuma yenyu muchizviona nameso enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Mugore rechipiri ramambo Dhariasi, pazuva rokutanga romwedzi wechitanhatu, shoko raJehovha rakasvika kubudikidza nomuprofita Hagai richienda kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, richiti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Vanhu ava vanoti, ‘Nguva haisati yasvika yokuti imba yaJehovha ivakwe.’ ” Ipapo shoko raJehovha rakasvika nokumuprofita Hagai richiti, “Ko, inguva here yokuti imi pachenyu mugare mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namapuranga, asi imba ino ichiramba iri dongo?” Zvino zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu. Makakusha zvizhinji, asi mukacheka zvishoma. Munodya, asi hamuguti. Munonwa, asi hamugundwi. Munopfeka nhumbi, asi hamudziyirwi. Munoshandira mubayiro, kuti muuise chete muhomwe ina maburi.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu. Kwirai kumakomo, mundouya namatanda muvake imba, kuti ini ndiifarire ndigokudzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Makatarisira kuwana zvizhinji, asi tarirai, zvakazova zvishoma. Zvamakauya nazvo kumusha, ndakazvifuridzira kure. Nemhaka yeiko?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Nemhaka yeimba yangu, yaramba ichingova dongo, asi mumwe nomumwe wenyu achishingairira imba yake. Naizvozvo, nokuda kwenyu matenga aramba nedova uye nyika yaramba nezvibereko zvayo. Ndakadana kuoma kuti kuuye paminda napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napazvose zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, uye napamabasa amaoko enyu.” Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, navanhu vose vakanga vasara vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo uye shoko romuprofita Hagai, nokuti Jehovha Mwari wavo akanga amutuma. Uye vanhu vakatya Jehovha. Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, akasvitsa shoko iri raJehovha kuvanhu achiti, “Ndinemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, uye nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, uye nomweya wavanhu vose vakanga vasara. Vakauya vakatanga kushanda paimba yaJehovha Wamasimba Ose, Mwari wavo, pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu mugore rechipiri ramambo Dhariasi. Pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi wechinomwe, shoko raJehovha rakasvika nokuna muprofita Hagai richiti, “Taura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, kuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki muprista mukuru, nokuvanhu vakasara. Uvabvunze kuti, ‘Ndiani pakati penyu vakasara akaona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga? Munoionawo sei zvino? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here? Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Iva nesimba, iwe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru. Ivai nesimba, imi mose vanhu venyika,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye mushande. Nokuti ndinemi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda kubvira muIjipiti. Uye Mweya wangu uchagara pakati penyu. Musatya.’ “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Munguva shoma shoma, ndichazungunusa matenga nenyika, negungwa nenyika yakaoma. Ndichazungunusa ndudzi dzose, uye zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya, uye ndichazadza imba ino nokubwinya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Sirivha ndeyangu negoridhe nderangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Kubwinya kweimba iripo nhasi kuchapfuura kubwinya kweyokutanga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Uye panzvimbo ino ndichauyisa rugare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.” Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechipfumbamwe, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Hagai, richiti, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Bvunza vaprista kuti murayiro unorevei: Kana munhu akatakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, uye mupendero ukagunzva chingwa kana nyama yakabikwa, kana waini, kana mafuta kana zvimwe zvokudya, zvichava zvitsvene here?’ ” Vaprista vakapindura vakati, “Kwete.” Ipapo Hagai akapindura akati, “Kana munhu asvibiswa nokubata kwaaita chitunha, akabata chimwe chaizvozvi, ko, chingasvibiswa here?” Vaprista vakapindura vakati, “Hongu chinosvibiswa.” Ipapo Hagai akapindura akati, “ ‘Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Zvose zvavanoita uye zvose zvavanopa sechibayiro ipapo zvakasvibiswa. “ ‘Zvino fungisisai, kubvira pazuva ranhasi, muchidzokera shure, chimbofungai zvazvakanga zvakaita ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro perimwe ibwe mutemberi yaJehovha. Munhu aiti kana achinge asvika pamurwi wezviyero makumi maviri, paingova negumi chete. Munhu aiti kana asvika pachisviniro chewaini achida kuchera zviyero makumi mashanu, kwaingova nezviyero makumi maviri chete. Ndakarova mabasa ose amaoko enyu nenyunje, nokuvhuvha nechimvuramabwe, asi hamuna kutendeukira kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Kubvira pazuva ranhasi zvichienda mberi, kubvira pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, fungisisai zuva riya rakateyiwa nheyo dzetemberi yaJehovha. Fungisisai izvozvo: Ko, muchine mbeu yakasara mudura here? Kusvikira zvino, muzambiringa nomuonde, mutamba nomuorivhi hazvina kubereka michero. “ ‘Kubvira pazuva ranhasi ndichakuropafadzai.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kuna Hagai kechipiri pazuva ramakumi maviri namana romwedzi richiti, “Udza Zerubhabheri mubati weJudha kuti ndichazungunusa matenga nenyika. Ndichawisira pasi zvigaro zvoushe uye ndichaparadza simba roushe hwavatorwa. Ndichawisira pasi ngoro navafambisi vadzo; mabhiza navatasvi vawo zvichawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake. “ ‘Pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘ndichakutora iwe, muranda wangu, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichakuita sechisimbiso changu, nokuti ndakakusarudza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.” “Mumwedzi worusere wegore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia, mwanakomana waIdho richiti, “Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru. Naizvozvo udza vanhu kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Dzokerai kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘neni ndichadzokera kwamuri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Musaita samadzibaba enyu, avo vakaudzwa navaprofita vokutanga kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Dzokai kubva panzira dzenyu dzakaipa uye napazvakaipa zvamunoita.’ Asi havana kunzwa kana kuteerera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha. Aripiko madzibaba enyu zvino? Uye vaprofita vacho, vanorarama zvandakarayira nokusingaperi here? Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakarayira varanda vangu ivo vaprofita, hazvina kurarama kupfuura madzibaba enyu here? “Ipapo vakatendeuka ndokuti, ‘Jehovha Wamasimba Ose akatiitira zvakafanira mabasa edu nenzira dzedu, sezvaakafunga kuita.’ ” Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wegumi nomumwe, mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia mwanakomana waIdho. Panguva dzousiku ndakaona chiratidzo, hapo pamberi pangu paiva nomurume akanga akatasva bhiza dzvuku! Akanga akamira pakati pemiti yaiva mumupata. Shure kwake kwaiva namabhiza matsvuku, mashava uye namachena. Ipapo ndakati, “Izvi zviiko, ishe wangu?” Mutumwa akanga achitaura neni akapindura akati, “Ndichakuratidza kuti zvii.” Ipapo murume akanga amire pakati pemiti yemitire akatsanangura achiti, “Ava ndivo vakatumwa naJehovha kuti vaende munyika yose.” “Uye vakapindura mutumwa waJehovha akanga akamira pakati pemiti yemitire vachiti, “Taenda munyika yose tikaona nyika yose yakazorora uye ino runyararo.” Ipapo mutumwa waJehovha akati, “Jehovha Wamasimba Ose muchasvika rinhiko musinganzwiri Jerusarema namaguta eJudha tsitsi amakatsamwira kwamakore makumi manomwe aya?” Saka Jehovha akataura mashoko akanaka anonyaradza kumutumwa akataura neni. Ipapo mutumwa aitaura neni akati, “Danidzira shoko iri rokuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndine godo kwazvo pamusoro peJerusarema neZioni, asi ndakatsamwira zvikuru ndudzi dzinoti dzakagarika. Ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakawedzera padambudziko iri.’ “Naizvozvo, zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzokera kuJerusarema ndine tsitsi, uye ipapo imba yangu ichavakwazve. Uye rwodzi rwokuyera ruchatambanudzwa pamusoro peJerusarema,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Danidzirazve uti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Maguta angu achafashukirazve noupfumi, uye Jehovha, achanyaradzazve Zioni uye agosarudza Jerusarema.’ ” Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nenyanga ina! Ndakabvunza mutumwa aitaura neni ndikati, “Zviiko izvi?” Akandipindura achiti, “Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, Israeri neJerusarema.” Ipapo Jehovha akandiratidza mhizha ina. Ndakabvunza ndikati, “Ko, ava vari kuuya kuzoitei?” Akapindura akati, “Idzi ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha kuti pashayikwe kana mumwe angasimudza musoro wake, asi mhizha dzauya kuzodzityisa uye kuti dzigokanda pasi nyanga idzi dzendudzi dzakasimudza nyanga dzadzo kuti dzirwise nyika yeJudha kuti dziparadzire vanhu vayo.” Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nomurume aiva nerwodzi rwokuyeresa muruoko rwake! Ndakabvunza ndikati, “Uri kuendepiko?” Akandipindura achiti, “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nokureba kwaro.” Ipapo mutumwa aitaura neni akaenda, uye mumwe mutumwa akauya kuzosangana naye uye akati kwaari: “Mhanya, undoudza jaya iro kuti, ‘Jerusarema richava guta risina masvingo nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zviri mariri. Uye ini pachangu ndichava rusvingo rwomoto rwakarikomberedza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’ “Uyai! Uyai! Tizai kubva kunyika yokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzedenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uya, iwe Zioni! Tiza, iwe unogara muMwanasikana weBhabhironi!” Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Mushure mokunge andikudza uye andituma kundorwisa ndudzi dzakakupambai, nokuti ani naani anokubatai anobata mboni yeziso rake, zvirokwazvo ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndivarwise kuitira kuti nhapwa dzavo dzigovapamba. Ipapo muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma. “Pembera uye ufare, iwe Mwanasikana weZioni. Nokuti ndiri kuuya, uye ndichagara pakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndudzi zhinji dzichabatana naJehovha pazuva iro uye vachava vanhu vangu. Ndichagara pakati penyu uye muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwamuri. Judha ichava nhaka yaJehovha somugove wake munyika tsvene uye achasarudzazve Jerusarema. Nyararai pamberi paJehovha, vanhu vose, nokuti amuka kubva panzvimbo yake tsvene yaanogara.” Ipapo akandiratidza Joshua muprista mukuru amire pamberi pomutumwa waJehovha, uye Satani amire kurudyi rwake kuti amupomere. Jehovha akati kuna Satani, “Jehovha ngaakutuke iwe, Satani! Jehovha, iye akasarudza Jerusarema, ngaakutuke! Ko, murume uyu haazi rukuni runobvira rwabvutwa mumoto here?” Zvino Joshua akanga akapfeka nguo dzine tsvina amire pamberi pomutumwa. Mutumwa akati kuna avo vakanga vamire pamberi pake, “Mubvisei nguo dzake dzine tsvina.” Ipapo akati kuna Joshua, “Tarira ndabvisa chivi chako, uye ndichakupfekedza nguo dzinokosha.” Ipapo ndakati, “Isai ngowani yakachena pamusoro wake.” Nokudaro vakamupfekedza ngowani yakachena pamusoro wake uye vakamupfekedza nguo, mutumwa waJehovha amirepo. Mutumwa waJehovha akarayira Joshua achiti, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Kana ukafamba nenzira dzangu uye ukachengeta mirayiro yangu, ipapo uchatonga imba yangu uye uchachengetawo mavazhe angu, uye ndichakupa nzvimbo pakati paava vakamira pano. “ ‘Teerera, iwe Joshua muprista mukuru navanobata pamwe chete newe vagere pamberi pako, varume ava vanova chiratidzo chezvinouya: Ndichauyisa muranda wangu, Davi. Tarirai ibwe randaisa pamberi paJoshua! Pane maziso manomwe pabwe rimwe chete iroro, uye ndichatema chinyorwa pariri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘uye ndichabvisa chivi chenyika ino nezuva rimwe chete. “ ‘Pazuva iro mumwe nomumwe wenyu achakoka muvakidzani wake kuzogara pasi pomuzambiringa napasi pomuonde wake,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.” Ipapo mutumwa akataura neni akauyazve kwandiri akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake. Akandibvunza achiti, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona chigadziko chomwenje chegoridhe rizere, chine mbiya pamusoro pacho nemwenje minomwe pamusoro pacho, mwenje mumwe nomumwe une mbombi nomwe. Uyezve pane miti miviri yemiorivhi parutivi pacho, mumwe kurutivi rworudyi rwembiya nomumwe kurutivi rworuboshwe kwayo.” Ndakabvunza mutumwa aitaura ndichiti, “Izvi zviiko, ishe wangu?” Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndakapindura ndichiti, “Kwete, ishe wangu.” Saka akati kwandiri, “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi nomweya wangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Uri chiiko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani. Ipapo iye achabudisa ibwe rokumusoro vanhu vachidanidzira vachiti, ‘Mwari ngaariropfadze! Mwari ngaariropafadze!’ ” Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzetemberi ino; maoko ake achaipedzisazve. Ipapo uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwauri. “Ndiani anoshora zuva rezvinhu zviduku? Vanhu vachafara pavachaona rwodzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri. “(Zvinomwe izvi ndizvo maziso aJehovha, anoona nyika yose.)” Ipapo ndakabvunza mutumwa ndichiti, “Ko, miti yemiorivhi miviri iyi iri kurudyi nokuruboshwe kwechigadziko chomwenje ndeyei?” Uyezve ndakamubvunza kuti, “Ko, matavi aya maviri omuorivhi parutivi pembombi mbiri dzegoridhe dzinodurura mafuta egoridhe ndeei?” Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndikati, “Kwete, ishe wangu.” Saka akati, “Ava ndivo vaviri vakazodzwa kuti vashumire Ishe wenyika yose.” Ndakatarisazve ndikaona, hapo pamberi pangu paiva norugwaro rwakapetwa rwaibhururuka! Akandibvunza akati, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona rugwaro rwakapetwa rwuri kubhururuka, rwakareba makubhiti makumi maviria nokufara makubhiti gumib.” Uye iye akati kwandiri, “Uku ndiko kutuka kunobuda pamusoro penyika yose; nokuti sezvazvakanyorwa kune rimwe divi, mbavha imwe neimwe ichaparadzwa, uye sezvazvakanyorwa kune rimwe divi racho, mumwe nomumwe anopika zvenhema achaparadzwa. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichabudisa kutuka, uye kuchapinda muimba yembavha nomumba mouyo anopika nhema nezita rangu. Kucharamba kuri mumba make uye kuchaparadza zvose mapango namabwe ayo.’ ” Ipapo mutumwa akanga achitaura neni akaswedera kwandiri akati, “Simudza meso ako uone kuti ichi chii chiri kubuda apo.” Ndakabvunza ndikati, “Chiiko?” Akapindura akati, “Iri idengu rokuyeresa.” Uye akatizve, “Ichi ndicho chitadzo chavanhu vari munyika yose.” Ipapo hwidibiro yomutobvu yakasimudzwa, uye mukadzi akanga akagara mudengu imomo! Mutumwa akati, “Uyu ndiye zvakaipa,” achibva amusundidzira zvakare mudengu uye ndokuzarira muromo wedengu nehwidibiro yomutobvu. Ipapo ndakasimudza meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva navakadzi vaviri, mhepo iri mumapapiro avo! Vaiva namapapiro anenge mapapiro edambiramurove, uye vakasimudza dengu vakaenda naro mudenga pakati pedenga nenyika. Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Vari kuriendesepiko dengu?” Akapindura akati, “Kunyika yeBhabhironi kundorivakira imba. Kana yapera, dengu richaiswa imomo panzvimbo yaro.” Ndakasimudzazve meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva nengoro ina dzaibuda kubva pakati pamakomo maviri, makomo endarira! Ngoro yokutanga yakanga ine mabhiza matsvuku, yechipiri ine matema. Yechitatu ine machena uye yechina ine mapfumbu, ose aiva nesimba. Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Zviiko izvi, ishe wangu?” Mutumwa akandipindura akati, “Iyi ndiyo mweya mina yokudenga, inobuda payakanga imire pamberi paIshe wenyika yose. Ine mabhiza matema iri kuenda kunyika yokumusoro, ine mabhiza machena iri kuenda kumadokero, uye ine mabhiza mapfumbu iri kuenda kunyika yezasi.” Mabhiza ane simba paakabuda akanga achitsvaka kuti aende nomunyika yose. Uye iye akati, “Endai munyika yose!” Saka akaenda nomunyika yose. Ipapo akadanidzira kwandiri achiti, “Tarira, ayo anoenda kunyika yokumusoro, apa Mweya wangu zororo munyika yokumusoro.” Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Tora sirivha negoridhe kubva kuvatapwa vanoti Heridhai, naTobhiya uye naJedhaya, vasvika vachibva kuBhabhironi. Enda, zuva rimwe chetero, kuimba yaJosia mwanakomana waZefania. Tora sirivha negoridhe ugadzire korona, uye ugodzika pamusoro womuprista mukuru, Joshua mwanakomana waJehozadhaki. Muudze kuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Houno murume anonzi Davi, uye achakura panzvimbo yake uye achavaka temberi yaJehovha. Ndiye achavaka temberi yaJehovha, uye achapfekedzwa ukuru agogara achitonga pachigaro chake. Uye achava muprista pachigaro chake. Uye pachava norugare pakati pezviviri izvi.’ Korona ichapiwa kuna Heridhai, naTobhiya, naJedhaya uye naHeni mwanakomana waZefania sechiyeuchidzo mutemberi yaJehovha. Avo vari kure vachauya kuzobatsira kuvaka temberi yaJehovha, uye iwe uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose andituma kwauri. Izvi zvichaitika kana ukateerera zvakanaka Jehovha Mwari wako.” Mugore rechina raMambo Dhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekaria pazuva rechina romwedzi wepfumbamwe, mumwedzi weKisirevhi. Vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemi-Mereki, pamwe chete navanhu vavo, kuti vaende kuna Jehovha kundokumbira kuvaprista veimba yaJehovha Wamasimba Ose nokuvaprofita vachiti, “Ndochema nokutsanya nomwedzi wechishanhu here, sezvandakaita kwamakore mazhinji aya?” Ipapo shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvika kwandiri richiti, “Bvunza vanhu vose venyika uye navaprista kuti, ‘Pamakatsanya pakuchema nomwedzi wechishanu nowechinomwe kwamakore makumi manomwe akapfuura, makatsanyira ini zvechokwadi here? Uye pamaidya nokunwa, makanga musingangozvifadzi here? Aya haasiwo here mashoko aJehovha akaparidzwa kubudikidza navaprofita vekare, Jerusarema namaguta aro akarikomberedza parakanga riri parugare uye richibudirira, uye nyika yeNegevhi nomujinga mezvikomo zvokumavirira muchakagarwa navanhu?’ ” Uye shoko raJehovha rakasvikazve kuna Zekaria richiti, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha. Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’ “Asi vakaramba kuteerera; mukuzvikudza vakafuratira uye vakadzivira nzeve dzavo. Vakaomesa mwoyo yavo sedombo romusarasara uye vakasateerera kumurayiro kana kumashoko aJehovha Wamasimba Ose aakanga atuma noMweya wake kubudikidza navaprofita vekare. Saka Jehovha Wamasimba Ose akatsamwa zvikuru. “ ‘Pandakadana, havana kuteerera; saka pavakadana, handina kuvateerera,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Ndakavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose, uko kwavakava vatorwa. Nyika yakava dongo shure kwavo zvokuti hapana aizogona kupinda kana kubudamo. Izvi ndizvo zvavakaita kunyika yaifadza, ikava dongo.’ ” Shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvikazve kwandiri richiti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndine godo kwazvo pamusoro peZioni; ndiri kutsva negodo pamusoro paro.” Zvanzi naJehovha, “Ndichadzokera kuZioni uye ndichagara muJerusarema. Ipapo Jerusarema richanzi Guta reZvokwadi, uye gomo raJehovha Wamasimba Ose richanzi Gomo Dzvene.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Varume navakadzi vakwegura vachagarazve mumigwagwa yeJerusarema, mumwe nomumwe aine mudonzvo muruoko nokuda kwokukwegura kwake. Migwagwa yeguta ichazara navakomana navasikana vanotambamo.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Zvingaita sezvinoshamisa kuna vakasara vavanhu ava panguva iyoyo, asi zvichaita sezvinoshamisa here kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndichaponesa vanhu vangu kubva kunyika dzokumabvazuva nedzokumavirira. Ndichavadzosazve kuti vazogara muJerusarema; vachava vanhu vangu, uye ndichava akatendeka uye akarurama kwavari saMwari wavo.’ Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Imi munonzwa mashoko aya iye zvino, akataurwa navaprofita vaivapo nheyo dzemba yaJehovha Wamasimba Ose padzakateyiwa, maoko enyu ngaasimbe kuti temberi igovakwa. Nguva iyoyo isati yasvika kwakanga kusina munhu aishandira mubayiro kana chipfuwo. Hapana aienda kundoita basa rake norugare nokuda kwomuvengi wake, nokuti ndakanga ndarwisanisa munhu wose nomuvakidzani wake. Asi zvino handichazoitiri vanhu ava vakasara sezvandakaita pamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Mbeu ichakura zvakanaka, muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvirimwa zvayo, uye matenga achaburutsa dova rawo. Ndichapa zvinhu zvose izvi senhaka kuna vakasara vavanhu ava. Sezvamaiva chinhu chakatukwa pakati pendudzi, imi Judha neIsraeri, saizvozvo ndichakuponesai, uye muchava chinhu chinoropafadza. Musatya, asi itai kuti maoko enyu asimbe.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Sezvandakanga ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu, uye ndikasaitira madzibaba enyu tsitsi paakanditsamwisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “saka zvino ndafunga kuita zvakanakazve kuJerusarema neJudha. Musatya. Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi, uye tongai nezvokwadi uye nokururamisira mumatare enyu usarongera zvakaipa muvakidzani wako zvakaipa, uye usafarira kupika nhema. Ndinovenga zvose izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvikazve kwandiri richiti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Kutsanya kwomwedzi wechina, wechishanu, wechinomwe nowegumi kuchava nguva dzomufaro nokupembera, nemitambo yomufaro kuna Judha. Naizvozvo mude zvokwadi norugare.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vanhu vazhinji navagari vomumaguta mazhinji vachauyazve, uye vagari vomune rimwe guta vachaenda kune rimwe vachinoti, ‘Ngatiendei nokuchimbidza kundokumbira nyasha kuna Jehovha, nokutsvaka Jehovha Wamasimba Ose. Ini pachangu ndiri kuenda.’ Uye vanhu vazhinji nendudzi dzine simba vachauya kuJerusarema kuzotsvaka Jehovha Wamasimba Ose nokukumbira nyasha kwaari.” Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Mumazuva iwayo varume gumi kubva kundimi dzose nendudzi dzose vachabatirira kwazvo pamupendero wenguo yomuJudha vachiti, ‘Ngatiendei tose, nokuti takanzwa kuti Mwari anewe.’ ” Shoko raJehovha rinorwisana nenyika yeHadhiraki uye richagara pamusoro peDhamasiko, nokuti meso avanhu naamarudzi ose eIsraeri ari pana Jehovha, uye napamusoro peHamatiwo, rakaganhurana naro, uye napamusoro peTire neSidhoni, kunyange zvazvo vane unyanzvi kwazvo. Tire yakazvivakira nhare; yakaunganidza sirivha seguruva uye goridhe samarara omumugwagwa. Asi Ishe achatora upfumi hwayo uye achaparadzira simba rayo pagungwa, uye ichaparadzwa nomoto. Ashikeroni richazviona, rigotya; Gaza richatambura mukurwadziwa, neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera. Gaza richarasikirwa namambo waro uye Ashikeroni haringavi navanhu. Vatorwa vachagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia. Ndichabvisa ropa pamiromo yavo, kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo. Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari wedu uye vachava vatungamiri muJudha, uye Ekironi achava savaJebhusi. Asi ndichadzivirira imba yangu pavarwi vanoirwisa. Hapachazovizve nomumanikidzi angakunda vanhu vangu, nokuti zvino ndiri kugara ndakatarira. Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni! Danidzira, Mwanasikana weJerusarema! Tarira, mambo wako anouya kwauri, iye akarurama uye ano ruponeso, anozvininipisa akatasva mbongoro, iyo mhuru, mwana wembongoro. Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu, namabhiza ehondo kuJerusarema, uye uta hwehondo huchavhuniwa. Achaparidzira ndudzi rugare. Ushe hwake huchabva kugungwa, huchisvika kugungwa uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika. Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe, ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura. Dzokerai kunhare yenyu, imi vasungwa vetariro; kunyange iye zvino ndichazivisa kuti ndichadzorera kwamuri zvakapetwa kaviri. Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu, uye ndichaizadza naEfuremu. Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, kuti varwise, vanakomana vako, iwe Girisi; uye ndichakuita somunondo wemhare. Ipapo Jehovha achaonekwa pamusoro pavo; museve wake uchapenya semheni. Ishe Jehovha acharidza hwamanda; achafamba mudutu rezasi. Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira. Vachaparadza uye vachakunda nezvimviriri. Vachanwa vagoomba sevanwa waini; vachazara sembiya dzinoshandiswa pakusasa makona earitari. Jehovha Mwari wavo achavaponesa pazuva iroro seboka ravanhu vake, Vachavaima munyika yake samabwe anokosha ari mukorona. Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichaita kuti majaya akure, uye waini itsva kuti mhandara dzikure. Kumbirai kuna Jehovha mvura yomunakamwe; Jehovha ndiye anogadzira makore edutu. Anonayisa mvura kuvanhu, uye anopa zvirimwa zveminda kuno mumwe nomumwe. Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri, vavuki vanoona zviratidzo zvenhema. vanotaura zviroto zvenhema, vanopa varaidzo pasina. Nokudaro vanhu vanodzungaira samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi. “Kutsamwa kwangu kunomukira vafudzi, uye ndicharova vatungamiri, nokuti Jehovha Wamasimba Ose achava nehanya namakwai ake, imba yaJudha, uye achavaita sebhiza rinodadisa pakurwa. Muna Judha muchabva ibwe rapakona, kubva maari mbambo yetende, kubva maari uta hwehondo, kubva maari vatungamiri vose. Pamwe chete vachava savarume voumhare vanotsika migwagwa ina matope pakurwa. Nokuti Jehovha anavo, vacharwa vachakunda vatasvi vamabhiza. “Ndichasimbisa imba yaJudha uye ndichaponesa imba yaJosefa. Ndichavadzosa nokuti ndinovanzwira tsitsi. Vachava savanhu vandakanga ndisina kuramba, nokuti ndini Jehovha Mwari wavo uye ndichavapindura. VaEfuremu vachava semhare, uye mwoyo yavo ichafara sevakabatwa newaini. Vana vavo vachazviona uye vachapembera; Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha. Ndichaninira kwavari ndigovaunganidza. Zvirokwazvo ndichavadzikinura, vachava vakawanda sakare. Kunyange ndikavaparadzira pakati pamarudzi, kunyange zvakadaro vachandirangarira vari kunyika dziri kure. Ivo navana vavo vachararama, uye vachadzoka. Ndichavauyisa kubva kuIjipiti uye ndichavaunganidza kubva kuAsiria. Ndichavauyisa kuGireadhi nokuRebhanoni, uye hakungazovi nenzvimbo yavanokwana. Vachapfuura napagungwa rokutambudzika; mafungu egungwa achaderedzwa uye pakadzika pose muNairi pachapwa. Kuzvikudza kweAsiria kuchaparadzwa uye tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa. Ndichavasimbisa muna Jehovha uye muzita rake vachafamba,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto uparadze misidhari yako! Ungudza, iwe muti womupaini, nokuti musidhari wawa, miti yakaisvonaka yaparadzwa! Ungudzai, imi miouki yeBhashani, nokuti dondo resango ratemwa! Inzwai kuungudza kwavafudzi; mafuro avo akapfuma aparadzwa! Inzwai kuomba kweshumba, sango rinoyevedza reJorodhani raparadzwa! Zvanzi naJehovha Mwari wangu, “Fudzai makwai akagadzirirwa kundobayiwa. Vatengi vawo vanoabaya vagoenda nawo vasina kurangwa. Avo vanoatengesa vanoti, ‘Jehovha ngaakudzwe, ndapfuma!’ Vafudzi vawo havangaaponesi. Nokuti handichazonzwirizve vanhu venyika tsitsi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa mumwe nomumwe kumuvakidzani wake uye kuna mambo wake. Vachamanikidza nyika, uye handingavanunuri kubva pamaoko avo.” Saka ndakafudza makwai akatsaurirwa kundobayiwa kunyanya ainzwisa urombo. Ipapo ndakatora tsvimbo mbiri ndikatumidza imwe kuti Nyasha uye imwe Kubatana, uye ndakafudza makwai. Mumwedzi mumwe chete ndakadzinga vafudzi vatatu. Boka rakandivenga, uye ndakatanga kuneta naro uye ndikati, “Handichazovi mufudzi wenyu. Regai makwai ari kufa afe, neari kuparara aparare. Regai ayo akasara adyanane nyama,” Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi Nyasha ndikaivhuna, ndichiputsa sungano yandakanga ndaita nendudzi dzose. Yakaputswa pazuva iroro, uye makwai airwadziwa akanga akanditarira akaziva kuti raiva shoko raJehovha. Ndakaaudza kuti, “Kana muchiona zvakanaka, ndipei muripo wangu, asi kana zvisina, uchengetei.” Nokudaro vakandipa mubayiro wangu wamakumi matatu esirivha. Jehovha akati kwandiri, “Ikande kumuumbi wehari, muripo wakanaka wavakanditenga nawo!” Saka ndakatora makumi matatu esirivha aya ndikaakanda muimba yaJehovha kumuumbi wehari. Ipapo ndakavhuna tsvimbo yangu yechipiri inonzi Kubatana ndichiputsa ukama hwakanga huripo pakati peJudha neIsraeri. Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Torazve nhumbi dzomufudzi benzi. Nokuti ndichamutsa mufudzi panyika asingazovi nehanya neakarasika, kana kutsvaka makwayana, kana kurapa akakuvadzwa, kana kufudza akasimba, asi achadya nyama yamakwai akakora uye achabvambura mahwanda awo. “Ane nhamo mufudzi asina maturo anosiya makwai! Munondo ngaubaye ruoko rwake uye neziso rake rokurudyi! Ruoko rwake ngaruome zvachose, ziso rake rokurudyi ripofumadzwe zvachose!” Iri ndiro shoko raJehovha pamusoro peIsraeri. Jehovha, iye anotatamura matenga, anoteya nheyo dzenyika, uye anoumba mweya womunhu uri mukati make, anoti: “Ndichaita kuti Jerusarema rive mukombe uchadzedzeresa ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza. Judha ichakombwa pamwe chete neJerusarema. Pazuva iro, ndudzi dzose dzenyika padzichaungana kuti dzirirwise, ndichaita kuti Jerusarema rive ibwe risingazungunuswi kundudzi dzose. Vose vachaedza kurizungunusa vachazvikuvadza. Pazuva iro ndicharova bhiza rimwe nerimwe nokutya uye mutasvi waro nokupenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndicharamba ndakatarira paimba yaJudha, asi ndichapofumadza mabhiza ose endudzi. Ipapo vatungamiri veJudha vachati mumwoyo yavo, ‘Vanhu veJerusarema vakasimba, nokuti Jehovha Wamasimba Ose ndiye Mwari wavo.’ “Pazuva iro ndichaita kuti vatungamiri veJudha vaite segango pakati pehuni, uye sezhenje romoto pakati pezvisote. Vachaparadza kurudyi nokuruboshwe ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza, asi Jerusarema richaramba riri panzvimbo paro. “Jehovha achaponesa misha yeJudha kutanga, kuitira kuti kukudzwa kweimba yaDhavhidhi uye nokwavagari vomuJerusarema kurege kupfuura kweJudha. Pazuva iroro Jehovha achadzivirira vaya vagere muJerusarema, zvokuti anoshayiwa simba pakati pavo achava saDhavhidhi, uye imba yaDhavhidhi ichava saMwari, soMutumwa waJehovha anoenda pamberi pavo. Pazuva iroro ndichaenda kundoparadza ndudzi dzose dzinorwisa Jerusarema. “Uye ndichadurura mweya wenyasha nowokunyengetera paimba yaDhavhidhi uye napavagari veJerusarema. Vachatarisa kwandiri, iye wavakabaya, uye vachamuchema souya anochema mwana wake mumwe oga, uye vachachema kwazvo souya anochema mwanakomana wedangwe. Pazuva iro muJerusarema muchava nokuchema kukuru sokuchema kweHadhadhi Rimoni mubani reMegidho. Nyika ichachema, mhuri imwe neimwe iri yoga, nevakadzi vavo vari voga: mhuri yeimba yaRevhi navakadzi vavo, mhuri yaShimei navakadzi vavo, uye nedzimwe mhuri dzose navakadzi vavo. “Pazuva iro imba yaDhavhidhi navagari vomuJerusarema, vachadziurirwa chitubu kuti vanatswe kubva pachivi nokusachena. “Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! “Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika. Uye kana pana ani zvake acharamba achiprofita, baba vake namai vake vakamubereka, vachati kwaari, ‘Unofanira kufa, nokuti wakareva nhema muzita raJehovha.’ Paachaprofita, vabereki vake vachamubaya. “Pazuva iro muprofita mumwe nomumwe achanyara nokuda kwechiratidzo chechiprofita chake. Haangazopfeki nguo yemvere yomuprofita kuti anyengere. Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi; ivhu ndiwo upenyu hwangu kubva pauduku hwangu. Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’ “Muka, iwe munondo, urwise mufudzi, urwise munhu ari pedyo neni!” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Rova mufudzi, makwai agopararira, uye ndichasimudza ruoko rwangu kuti rurwise madiki acho. Munyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zvikamu zviviri muzvitatu zvichaurayiwa uye zvigoparara; asi chikamu chimwe chete muzvitatu ndicho chichasaramo. Chikamu chimwe ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto; ndichavanatsa sesirivha uye ndichavaedza segoridhe. Vachadana kuzita rangu uye ndichavapindura; ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’ Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’ ” Zuva raJehovha richauya zvawakapamba pazvichagoverwa pakati penyu. Ndichaunganidza ndudzi dzose kuJerusarema kuti dzirwise; guta richatorwa, dzimba dzigopambwa, uye vakadzi vachachinyiwa. Hafu yeguta ichatapwa, asi vamwe vanhu vose havazobviswi muguta. Ipapo Jehovha achabuda kuti andorwisa ndudzi idzodzo, sokurwa kwaanoita pazuva rehondo. Pazuva iroro tsoka dzake dzichamira paGomo reMiorivhi, kumabvazuva kweJerusarema, uye Gomo reMiorivhi richapamuka napakati kubva kumabvazuva kusvikira kumadokero, pagoita mupata mukuru kwazvo, imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro uye imwe hafu ichatsedukira zasi. Muchatiza nomumupata wegomo rangu, nokuti uchasvika kuAzeri. Muchatiza sokutiza kwamakaita pakudengenyeka kwenyika pamazuva aUzia mambo weJudha. Ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, uye navatsvene vose pamwe chete naye. Pazuva iroro hakuzovi nechiedza, kutonhora kana chando. Richava zuva rakasiyana namamwe, risina nguva dzousiku kana nguva dzamasikati, zuva rinozivikanwa naJehovha. Kana madekwana asvika, chiedza chichavapo. Pazuva iroro mvura mhenyu ichayerera ichibuda muJerusarema, hafu kugungwa rokumabvazuva uye imwe hafu kugungwa rokumadokero, muzhizha nomuchando. Jehovha achava mambo panyika yose. Pazuva iroro pachava naJehovha mumwe chete, uye zita rake rigova zita rimwe chete roga. Nyika yose kubva kuGebha kusvikira kuRimoni, nechezasi kweJerusarema, ichava seArabha. Asi Jerusarema richasimudzirwa rigogara panzvimbo paro, kubva kuSuo raBhenjamini kusvikira kuSuo Rokutanga, kusvikirawo kuSuo Repakona, uye kubva kuShongwe yaHananeri kusvikira kuzvisviniro zvewaini zvamambo. Ichagarwa; haichazoparadzwizve. Jerusarema richachengetedzeka. Iri ndiro denda Jehovha raacharova naro ndudzi dzose dzakarwisa Jerusarema: Nyama yavo ichaora vachakamira namakumbo avo, maziso avo achaorera mumakomba awo, uye rurimi rwomumwe nomumwe wavo ruchaorera mumukanwa make. Pazuva iroro varume vacharohwa naJehovha nokutya kukuru. Murume mumwe nomumwe achabata ruoko rwomumwe wake, vagorwisana. Judhawo icharwa paJerusarema. Upfumi hwendudzi dzose dzakakomberedza Jerusarema huchatorwa, goridhe rakawanda, sirivha yakawanda nenguo zhinji. Denda rakafanana nairori richarova mabhiza namahesera, ngamera nembongoro, uye nezvipfuwo zvose zviri mumisasa iyoyo. Ipapo vachararama kubva kundudzi dzose dzakarwisa Jerusarema vachaenda gore negore kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, uye nokundopemberera Mutambo waMatumba. Kana marudzi ose avanhu vapanyika akasaenda kuJerusarema kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, havanganayirwi nemvura. Kana vaIjipita vakasaenda uye vakasandonamatawo, havanganayirwi nemvura. Jehovha achauyisa denda pamusoro pavo, denda raanorova naro ndudzi dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba. Ichi ndicho chichava chirango cheIjipiti uye chirango chendudzi dzose dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba. Pazuva iroro pamabhera amabhiza pachanyorwa kuti, UTSVENE KUNA JEHOVHA, uye hari dzokubikira dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya tsvene dziri pamberi pearitari. Hari imwe neimwe iri muJerusarema uye nomuJudha ichava tsvene kuna Jehovha Wamasimba Ose, uye vose vachauya kuzobayira vachatora dzimwe hari vagodzibikira. Uye pazuva iro hakuchazovazve nomuKenani muimba yaJehovha Wamasimba Ose. Chirevo: Shoko raJehovha kuna Israeri kubudikidza naMaraki. Jehovha anoti, “Ndakakudai.” Asi imi munobvunza muchiti, “Makatida seiko?” Jehovha anoti, “Ko, Esau akanga asiri mukoma waJakobho here? Asi Esau ndakamuvenga, uye ndakashandura makomo ake akava matongo ndikapa nhaka yake kumakava murenje.” Edhomu angati, “Kunyange takaparadzwa hedu, tichavakazve matongo.” Asi zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Vangavaka havo, asi ndichakoromora. Vachanzi Nyika Yakaipa, vanhu vachagara vakatsamwirwa naJehovha. Muchazvionera nameso enyu mugoti, ‘Jehovha mukuru zvokutopfuura miganhu yeIsraeri!’ Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Mwanakomana anokudza baba vake, uye muranda anokudza tenzi wake. Kana ndiri baba, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kuremekedzwa kwangu kuripiko? Ndimi, iyemi vaprista, munozvidza zita rangu. “Asi munobvunza muchiti, ‘Takazvidza zita renyu seiko?’ ” “Munondivigira zvokudya zvakasvibiswa paaritari yangu. “Asi imi munobvunza muchiti, ‘Takakusvibisai neiko?’ Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Pakutaura kwenyu muchiti tafura yaJehovha inozvidzika. Pamunouya nezvipfuwo zvakapofumara kuti zvibayirwe, hazvina kuipa here? Pamunobayira zvipfuwo zvakaremara kana zvinorwara, hazvina kuipa here? Chimboedzai kuzvivigira mubati wenyu! Angafadzwa nemi here? Angakugamuchirai here?” Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Zvino kumbirai Mwari kuti atiitire nyasha. Nezvipo zvakadai zvinobva mumaoko enyu, angakugamuchirai here?” “Haiwa, dai mumwe wenyu aipfiga mikova yetemberi, kuitira kuti murege kubatidza moto isina maturo paaritari yangu! Handifadzwi nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye handingagamuchiri zvipiriso zvinobva mumaoko enyu. Zita rangu richava guru pakati pendudzi, kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Zvinonhuwira nezvipiriso zvitsvene zvichauyiswa kuzita rangu munzvimbo dzose, nokuti zita rangu richava guru pakati pendudzi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Asi munoizvidza pamunoti, ‘Tafura yaJehovha yakasvibiswa, uye zvokudya zvayo zvakashoreka.’ Uye munoti, ‘Zvinorema sei!’ uye munoifembedza muchiizvidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Pamunouyisa zvipfuwo zvakakuvara, zvakaremara kana zvinorwara kuzozvipa sezvibayiro, ndingazvigamuchira kubva pamaoko enyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ngaatukwe munyengeri ane gondohwe rakanaka pakati pamakwai ake, anopika kuti acharipa, asi agobayira chipfuwo chine chakaipa pachiri kuna Ishe. Nokuti ndiri mambo mukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye zita rangu rinofanira kutyiwa pakati pendudzi. “Zvino yambiro iyi ndeyenyu, imi vaprista. Kana imi musingateereri, uye kana musingakudzi zita rangu nomwoyo wenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “ndichatuma kutukwa pamusoro penyu, uye ndichatuka ropafadzo dzenyu. Hongu, ndakadzituka kare, nokuti hamuna kuzvipira nemwoyo yenyu kuti mundikudze. “Nokuda kwenyu ndichabvisa zvizvarwa zvenyu; ndichadzura zviso zvenyu nendove inobva pazvibayiro zvemitambo yenyu, uye nemi muchatakurwa pamwe chete nayo. Uye muchaziva kuti ndakakutumirai yambiro iyi kuitira kuti sungano yangu naRevhi irambe iripo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndakaita sungano yangu naye, sungano youpenyu norugare, uye ndakapa izvi kwaari; zvakandivigira kukudzwa uye akandikudza, akamira achitya zita rangu. Kurayira kwechokwadi kwakanga kuri mumuromo wake, uye chisakarurama hachaiwanikwa pamiromo yake. Akafamba neni murugare nomukururama, uye akadzora vazhinji pazvivi. “Nokuti muromo womuprista unofanira kuchengeta zivo, uye vanhu vanofanira kutsvaka dzidziso kubva pamuromo wake, nokuti ndiye nhume yaJehovha Wamasimba Ose. Asi imi makatsauka panzira uye nedzidziso yenyu makagumbusa vazhinji; makaputsa sungano naRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Nokudaro ndakaita kuti muzvidzwe uye munyadziswe pamberi pavanhu vose, nokuti hamuna kuchengeta nzira dzangu asi makaita rusarura pakutonga kwenyu.” Ko, isu tose hatina baba vamwe here? Haasi Mwari mumwe akatisika here? Sei tichisvibisa sungano yamadzibaba edu nokusatendeka kuno mumwe nomumwe? Judha aputsa chitenderano. Chinhu chinonyangadza chaitwa muIsraeri nomuJerusarema: Judha asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha, nokuwana mwanasikana wamwari wavatorwa. Kumunhu anoita izvi, angava ani zvake, Jehovha ngaamubvise pamatende aJakobho, kunyange achiuya nezvipo kuna Jehovha Wamasimba Ose. Chimwe chinhu chaunoita: Unozadza aritari yaJehovha nemisodzi. Unochema nokuungudza nokuti haacharangariri zvipiriso zvako kana kuzvigamuchira nomufaro kubva pamaoko ako. Unobvunza uchiti, “Seiko?” Nokuda kwokuti Jehovha ndiye chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako nokuti wakaputsa sungano naye, kunyange ari mumwe wako, mukadzi wawakaita sungano yewaniso naye. Jehovha haana kuvaita mumwe here? Panyama nomweya ndevake. Uye nemhaka yei mumwe? Nokuti aitsvaka rudzi rune umwari. Saka zvichenjerere pamweya wako, uye usaputsa sungano nomukadzi woujaya hwako. “Ndinovenga kurambana,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari weIsraeri, “uye ndinovenga murume anofukidza nguo yake nokumanikidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Saka zvichenjerere pamweya uye usaputsa chitenderano. Makanetesa Jehovha namashoko enyu. Munoti, “Takamunetesa neiko?” Pamunoti, “Vose vanoita zvakaipa vakanaka pamberi paJehovha, uye anofadzwa navo” kana pamunoti, “Aripiko Mwari wokururamisira?” “Tarirai, ndichatuma nhume yangu, uyo achagadzira nzira pamberi pangu. Ipapo Ishe wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake; mutumwa wesungano, wamunoshuva, achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Asi ndiani angatsunga pazuva rokuuya kwake? Ndiani angamira paanoonekwa? Nokuti achava somoto womunatsi kana sipo yomusuki. Iye achagara somunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vaRevhi uye achavanatsa segoridhe nesirivha. Ipapo Jehovha achava navanhu vachamuvigira zvipiriso mukururama, uye zvipiriso zveJudha neJerusarema zvichagamuchirwa naJehovha, sapamazuva akapfuura, sapamakore akare. “Saka ndichaswedera kwamuri kuzotonga. Ndichakurumidza kupupura ndichipikisa varoyi, mhombwe uye navanopika nhema, navaya vanobiridzira vashandi migove yavo, vanodzvinyirira chirikadzi nenherera uye vasingaruramisiri vatorwa, uye vasingandityi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ini Jehovha handishanduki. Saka imi, rudzi rwaJakobho, hamuna kuparadzwa. Kubva pamazuva amadzitateguru enyu makatsauka pamitemo yangu uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, uye neni ndichadzokera kwamuri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipiko?’ “Ko, munhu angabire Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tinokubirai pane zvipi?’ “Pazvegumi nezvipiriso. Makatukwa, rudzi rwenyu rwose, nokuti muri kundibira. Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mugova nezvokudya mumba mangu. Ndiedzei muna izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa. Ndichadzivisa udyi pakuparadza zvirimwa zvenyu, uye mizambiringa yeminda yenyu haingadonhedzi zvibereko zvayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ipapo ndudzi dzose dzichati makaropafadzwa, nokuti nyika yenyu ichava inofadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Jehovha anoti, “Makataura zvinhu zvikukutu pamusoro pangu.” “Kunyange zvakadaro munoti, ‘Takataureiko pamusoro penyu?’ “Imi makati, ‘Hazvina maturo kushumira Mwari. Takawaneiko nokuita zvaakarayira uye zvatakafamba savachemi pamberi paJehovha Wamasimba Ose? Asi zvino tinoti vanozvikudza vakaropafadzwa. Zvirokwazvo vaiti vezvakaipa vanobudirira uye naivo vaya vanoedza Mwari vanopunyuka.’ ” Ipapo vaya vaitya Jehovha vakataurirana, uye Jehovha akateerera akanzwa. Bhuku rechirangaridzo rakanyorwa pamberi pake pamusoro pavanotya Jehovha uye vanoremekedza zita rake. “Vachava vangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “pazuva randichaunganidza pfuma yangu inokosha. Ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomushandira. Uye muchaonazve musiyano pakati pavakarurama nevakaipa, pakati pavaya vanoshumira Mwari navaya vasingamushumiri. “Zvirokwazvo zuva rinouya; richapisa sechoto. Vose vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava mashanga, uye zuva iro rinouya richavapisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Hapana mudzi kana davi zvichasara. Asi kunemi munotya zita rangu, zuva rokururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aro. Uye muchabuda muchisvetuka semhuru dzabudiswa muchirugu. Ipapo muchatsikira pasi vakaipa; vachava madota pasi petsoka dzenyu pazuva iro pandichaita zvinhu izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Rangarirai murayiro womuranda wangu Mozisi, mitemo nemirayiro yandakamupa paHorebhu kuti ipiwe vaIsraeri vose. “Tarirai, ndichakutumirai muprofita Eria, zuva iro guru raJehovha, uye rinotyisa risati rasvika. Iye achadzosera mwoyo yamadzibaba kuvana vavo, uye mwoyo yavana kumadzibaba avo; kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.” Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama: Abhurahama aiva baba vaIsaka, Isaka baba vaJakobho, Jakhobho baba vaJudha namadzikoma ake, navanun'una vake, Judha baba vaPerezi naZera, mai vake vaiva Tamari, Perezi baba vaHezironi, Hezironi baba vaRamu, Ramu baba vaAminadhabhu, Aminadhabhu baba vaNashoni, Nashoni baba vaSarimoni, Sarimoni baba vaBhoazi, mai vake vari Rahabhu, Bhoazi baba vaObhedhi, mai vake vari Rute, Obhedhi baba vaJese, naJese baba vamambo Dhavhidhi. Dhavhidhi aiva baba vaSoromoni, mai vake ndivo vaimbova mukadzi waUria. Soromoni baba vaRehobhoamu, Rehobhoamu baba vaAbhija, Abhija baba vaAsa, Asa baba vaJehoshofati, Jehoshafati baba vaJehoramu, Jehoramu baba vaUzia, Uzia baba vaJotamu, Jotamu baba vaAhazi, Ahazi baba vaHezekia. Hezekia baba vaManase, Manase baba vaAmoni, Amoni baba vaJosia, naJosia baba vaJekonia navanun'una vake panguva yavaiva muutapwa muBhabhironi. Vabva kuutapwa kuBhabhironi: Jekonia aiva baba vaShearitieri, Shearitieri baba vaZerubhabheri, Zerubhabheri baba vaAbhiudhi, Abhiudhi baba vaEriakimu, Eriakimu baba vaAzori. Azori baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaAkimu, Akimu baba vaEriudhi, Eriudhi baba vaEreazari, Ereazari baba vaMatani, Matani baba vaJakobho. Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu. Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu. Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene. Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji. Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, “Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene. Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.” Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza navaprofita vake zvokuti: “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ” Josefa paakapepuka, akaita sezvaakanga arayirwa nomutumwa waIshe, uye akatora Maria somukadzi wake, asi haana kusangana naye kusvikira azvara mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu. Mushure mokuberekwa kwaJesu muBheterehema reJudhea munguva yaMambo Herodhi, vachenjeri vaibva kumabvazuva vakasvika muJerusarema, uye vakabvunza vakati, “Aripiko uyo achangoberekwa anova mambo wavaJudha? Takaona nyeredzi yake kumabvazuva, uye tauya kuzomunamata.” Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose. Kuzoti akakokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa Kristu. Vakapindura vachiti, “MuBheterehema reJudhea nokuti izvi ndizvo zvakanyorwa nomuprofita achiti: “Asi iwe Bheterehema, munyika yeJudhea hausi muduku pamadzimambo ose aJudha, nokuti mauri muchabuda mutongi uyo achava mufudzi wavanhu vangu vaIsraeri.” Ipapo Herodhi akadana Vachenjeri pakavanda akavabvunzisisa nguva chaiyo yainge yaonekwa nyeredzi. Akavatuma kuBheterehema akati, “Endai mundotsvakisisa mwana uyu. Kana muchinge mamuwana, mugondizivisawo kuitira kuti neniwo ndigoenda kundomunamata.” Mushure mokunge vanzwa zvainge zvataurwa naMambo, vakapfuurira mberi norwendo rwavo, uye nyeredzi yavakanga vaoona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira panzvimbo paiva nomwana. Pavakaona nyeredzi, vakafara kwazvo. Vakati vasvika pamba apa, vakaona mwana namai vake Maria, uye vakakotamira pasi vakamunamata. Vakasunungura pfuma yavo vakapa zvipo zvegoridhe, nezvinonhuwira nemura. Uye vakati vayambirwa mukurota kuti vasadzokera nokuna Herodhi, vakadzokera kwavo neimwe nzira. Zvino kuzoti vaenda, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa mukurota, akati, “Kurumidza kutora mwana namai vake mutizire kuIjipiti. Mugareko kusvikira ndakuudzai, nokuti Herodhi achatsvaka mwana uyu kuti amuuraye.” Saka akabva amuka ndokutora mwana namai vake usiku akatizira kuIjipiti, kwaakandogara kusvikira Herodhi afa. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa naShe kubudikidza nomuprofita achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.” Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunyengera, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri. Ipapo zvakarehwa kubudikidza nomuprofita Jeremia zvakazadziswa, zvinoti: “Inzwi rakanzwikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake, uye achiramba kunyaradzwa nokuti havachipo.” Mushure mokufa kwaHerodhi, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa muIjipiti mukurota akati, “Tora mwana namai vake mudzokere kunyika yeIsraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.” Saka akasimuka akatora mwana namai vake akaenda kunyika yeIsraeri. Asi paakanzwa kuti Arikerao akanga otonga muJudhea panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako. Akati ayambirwa mukurota, akabva aenda kudunhu reGarirea, uye akaenda akandogara muguta rainzi Nazareta. Izvi zvakabva zvazadzisa zvakarehwa kubudikidza navaprofita zvichinzi, “Achanzi muNazareta.” Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea, achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.” Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Inzwi rounodanidzira murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ” Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi. Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani. Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani. Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya? Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka. Uye musafunga kuti mungati, ‘Tina Abhurahama sababa vedu.’ Ndinokuudzai kuti Mwari anogona kumutsa vamwe vana vaAbhurahama kubva pamabwe aya. Demo ratoiswa pamidzi yemiti uye muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto. “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura kuti mutendeuke. Asi shure kwangu kuchauya mumwe mukuru kwandiri, wandisina kukodzera kunyange kutakura shangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto. Rusero rwuri muruoko rwake, uye achanatsa buriro rake, achiunganidza gorosi mudura, uye achizopisa hundi mumoto usingadzimi.” Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhabhatidzwa naJohani. Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?” Jesu akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake. Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari. Inzwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.” Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori. Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna namakumi mana, akanzwa nzara. Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ” Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Acharayira vatumwa vake pamusoro pako uye vachakusimudza namaoko avo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.” Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ” Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo, akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.” Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ” Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira. Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea. Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari, kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti: “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani, Garirea ravaHedheni, vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru; kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chavhenekera.” Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.” Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomunun'una wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove. Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera. Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomunun'una, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana, uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera. Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo nokuparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu. Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyanasiyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa. Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera. Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari, uye akatanga kuvadzidzisa achiti: “Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa. Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika. Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo. Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi. Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari. Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu. “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki. Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga. “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa. Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa. Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga. Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga. “Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’ Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena. “Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako, siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako. “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo. Ndinokuudzai chokwadi kuti haungabudimo kusvikira waripa kamari kokupedzisira. “Makanzwa zvichinzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make. Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena. Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena. “Zvakanzi, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake anofanira kumupa gwaro rokurambana.’ Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe. “Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’ Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo; kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana Jerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru. Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema. Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’ Asi ndinokuudzai kuti, ‘Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo. Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako. Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri. Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.’ “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’ Asi ini ndinokuudzai kuti, ‘Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai,’ kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama. Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here? Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here? Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana. “Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga. “Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi, kuitira kuti kupa kwako kuve pakavanda. Ipapo Baba vako, vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. “Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji. Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira. “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe, umambo hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva. Tiregererei zvatinokutadzirai, sezvatinoregererawo vanotitadzira isu. Tibatsirei kuti tisapinda mukuedzwa, uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’ “Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo. Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu. “Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu, kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro. “Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba. Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba. Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo. “Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza. Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii! “Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari. “Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hausi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo? Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here? Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya? “Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka. Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya. Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku? Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’ Izvi ndizvo zvinoitwa navahedheni, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi. Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri. Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira. “Usatonga kuti newewo urege kutongwa. Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri. “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsikatsika pasi petsoka dzadzo, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvamburabvamburai. “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo. “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe? Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka? Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira! Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti uyu ndiwo Murayiro naVaprofita. “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhamha zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro. Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana. “Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza. Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato? Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa. Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto. Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo. “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’ Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’ “Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware. Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya uye ikawa nokuwa kukuru.” Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akadzidzisa somunhu aiva nesimba kwete samadzidzisiro aitwa navadzidzisi vavo vomurayiro. Akati aburuka kubva mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera. Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake. Ipapo Jesu akati kwaari, “Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi sechapupu kwavari.” Jesu akati apinda muKapenaume, mukuru wezana akauya kwaari achikumbira rubatsiro. Akasvikoti, “Ishe, muranda wangu arere kumba, akafa mitezo, uye ari kurwadziwa zvikuru.” Jesu akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.” Mukuru wezana akapindura akati, “Ishe, handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Asi ingotaurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora. Nokuti ini pachangu ndiri munhu anorayirwa, ndine varwi pasi pangu. Ndinoudza uyu kuti, ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita.” Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa akati kuna avo vaimutevera, “Ndinokuudzai chokwadi, handisati ndaona munhu ane rutendo rwakadai muIsraeri. Ndinoti kwamuri, vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero uye vachagara panzvimbo dzavo pamutambo pamwe chete naAbhurahama, Isaka naJakobho muumambo hwokudenga. Asi vadyi venhaka youshe vachakandwa kunze, kurima uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.” Ipapo Jesu akati kumukuru wezana, “Enda! Zvichaitika sokutenda kwawaita.” Muranda wake akabva apora panguva iyoyo. Jesu akati apinda mumba maPetro, akasvikowana mai vomukadzi waPetro varere vachirwara nefivha. Akabata ruoko rwavo fivha ndokubva yapera, uye vakasimuka ndokubva vatanga kumushandira. Ava madekwana, vazhinji vakanga vakabatwa namadhimoni vakauyiswa kwaari, uye akadzinga mweya iyoyo neshoko akaporesa vose vairwara. Izvi zvaizadzisa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Akatakura kurwadziwa kwedu kwose uye akatakura zvirwere zvedu zvose.” Jesu akati aona vanhu vazhinji vakamukomberedza akarayira kuti vayambuke vaende kune rimwe divi regungwa. Ipapo mumwe mudzidzisi womurayiro akauya kwaari akati, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.” Jesu akapindura achiti, “Makava ane mwena yawo, shiri dzina matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Mumwewo mudzidzi akati, “Ishe chimboregai nditange ndambonoviga baba vangu.” Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.” Ipapo akapinda muigwa uye vadzidzi vake vakamutevera. Pakarepo, dutu guru rakamuka pagungwa zvokuti mafungu egungwa akapfachukira pamusoro peigwa. Asi Jesu akanga avete. Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Ishe, tiponesei! Tava kunyura!” Akavapindura achiti, “Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?” Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo. Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!” Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, akasangana navarume vaviri vakanga vakabatwa namadhimoni. Varume ava vaiva nehasha zvokuti hapana munhu aigona kupfuura naikoko. Vakadanidzira vachiti, “Munodeiko kwatiri, Mwanakomana waMwari? Mauya kuzotirwadzisa here iyo nguva yakatarwa isati yasvika?” Nechokure navo, kwakanga kune boka guru renguruve rakanga richifura. Madhimoni akakumbirisa Jesu achiti, “Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve.” Akati kwaari, “Endai!” Ipapo akabuda akandopinda munguruve, uye boka rose rakamhanya richidzika kumawere amahombekombe rikasvikowira mugungwa dzichibva dzafira mumvura. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakamhanya vakandopinda muguta vakandotaura zvose izvi, kusanganisira nezvakanga zvaitika kuvarume vaya vakanga vane madhimoni. Ipapo guta rose rakabuda rikandosangana naJesu. Uye vakati vamuona, vakamukumbirisa kuti abve munyika yavo. Jesu akapinda mugwa akayambuka ndokusvika kuguta rokwake. Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.” Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!” Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu? Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.” Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake. Vanhu vazhinji pavakazviona, vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari uyo akanga apa simba rakadai kuvanhu. Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, “Nditevere,” uye Mateo akasimuka akamutevera. Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake. VaFarisi vakati vaona izvi, vakabvunza vadzidzi vake vachiti, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” Achinzwa izvi, Jesu akati, “Vasingarwari havatsvagi chiremba, asi vanorwara. Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.” Vadzidzi vaJohani vakauya kuzomubvunza vachiti, “Ko, sei isu navaFarisi tichitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi.” Jesu akapindura achiti, “Zvingaitawo here kuti shamwari dzechikomba dzicheme iye achiinavo? Nguva ichasvika iyo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo vachatsanya. “Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya. Uye vanhu havangadiri waini itsva muhombodo tsaru. Kana vakadaro, hombodo dzichaputika, waini ichateuka uye hombodo dzichaparara. Kwete, vanodira waini itsva muhombodo itsva uye zvose zviri zviviri zvinochengetedzeka.” Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari uye achararama.” Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake. Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake. Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.” Jesu akatendeuka uye akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo. Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka. Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda uye akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka. Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose. Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.” Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.” Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Musawana wamunoudza pamusoro paizvozvi.” Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri. Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu. Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.” Asi vaFarisi vakati, “Anodzinga madhimoni nomukuru wamadhimoni.” Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose. Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha. Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri: wokutanga ndiSimoni ainzi (Petro) nomunun'una wake Andirea; Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani; Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateo muteresi; Jakhobo mwanakomana waArifeo naTadheo; Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira. Ava gumi navaviri Jesu akavatuma, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yavaHedheni kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria. Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’ Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makangogamuchira, chingopai henyu. Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu; musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake. “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo. Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo. Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro. Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo ivai vakachenjera senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva. Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo. “Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokuvaHedheni. Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura, nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri. “Mukoma achaurayisa munun'una wake, nababa mwana wavo zvimwe chetezvo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa. Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungapoteredzi maguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka. “Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake. Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake! “Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi. Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba. Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi mutye uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena. Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira. Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa. Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji. “Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo. Ndakauya kuti: “ ‘mwanakomana apesane nababa vake, mwanasikana apesane namai vake, muroora apesane navamwene vake, vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’ “Ani naani achada baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu. Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu. Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana. “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma. Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama. Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.” Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea. Zvino Johani ari mutorongo akanga anzwa mabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana kuti totarisira mumwe?” Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona: Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo. Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.” Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here? Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo. Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura kwazvo muprofita. Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi: “ ‘Ndinotuma nhume yangu mberi kwako uye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.’ “Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora. Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti: “ ‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’ “Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’ Mwanakomana woMunhu akanga achidya nokunwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.” Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka. “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota. Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi. Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.” Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku. Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.” Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya. VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.” Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara? Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete. Kana kuti hamuna kuverenga here muMurayiro kuti nomusi weSabata vaprista mutemberi vanosvibisa zuva iri asi vasingapiwi mhosva? Ndinokuudzai kuti mukuru kupfuura temberi ari pano. Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva. Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.” Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo, uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?” Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here? Ko, zvino munhu akakosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.” Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe. Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei. Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose. Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani. Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti: “Houno muranda wangu wandakasarudza, wandinoda, anondifadza; ndichaisa Mweya wangu paari, iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama. Haazokakavari kana kuridza mhere; hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa. Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori, nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi, kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda. Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.” Ipapo vakauya kwaari nomunhu akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona. Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?” Asi vaFarisi pavakanzwa izvi, vakati, “NdiBheerizebhubhi chete, muchinda wamadhimoni, waanodzinga naye madhimoni.” Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri. Zvino kana Satani achibudisa mumwe Satani, zvinoreva kuti anozvipesanisa. Saka umambo hwake hungamira sei? Zvino kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri. “Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba uye agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake. “Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza. Uye naizvozvo ndinokuudzai kuti, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokumhura kwose asi kumhura Mweya hakuzoregererwi. Ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu acharegererwa, asi ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMweya Mutsvene haazoregererwi, kunyange panguva ino kana inouya. “Itai kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ichava yakanaka kana kuti itai kuti muti uve wakaipa, uye michero yawo ichava yakaipa, nokuti muti uchazivikanwa nemichero yawo. Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake. Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo. Nokuti namashoko ako uchapembedzwa, uye namashoko ako uchatongwa.” Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri.” Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona. Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu. Vanhu veNinevhe vachamira pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye vacharupa mhosva; nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona, uye zvino mukuru kuna Jona ari pano. Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye acharupa mhosva, nokuti akabva kumagumo enyika kuti azoteerera kuuchenjeri hwaSoromoni, uye zvino mukuru kuna Soromoni ari pano. “Kana mweya wakaipa wabva pano munhu, unofamba-famba nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo asi unorishaya. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Kana wasvika, unosvikowana imba iya isina ageremo, asi yakanyatsotsvairwa zvakachena nokunyatsorongedzwa zvakanaka. Ipapo unobva waenda kundotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kukunda iwo, uye inopinda igogaramo. Uye kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Ndizvo zvazvichaita norudzi urwu rwakaipa.” Jesu paakanga achiri kutaura kuvanhu vazhinji, mai vake navanun'una vake vakamira panze vachida kutaura naye. Mumwe akamuudza kuti, “Mai venyu navanun'una venyu vamire panze, vari kuda kutaura nemi.” Akamupindura akati, “Ko, mai vangu ndiani, navanun'una vangu ndivanaani?” Achinongedzera vadzidzi vake akati, “Ava ndivo mai vangu navanun'una vangu. Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye munun'una wangu nehanzvadzi yangu, namai vangu.” Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa. Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, ipapo vanhu vakamira kumahombekombe. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga. Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?” Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari. Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo: “Kunyange vachiona asi havaoni, kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa. Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti: “ ‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi; muchangoramba muchiona asi musingaonesesi. Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu, havatombonzwi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvichida vangaona nameso avo, vakanzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakapinduka, uye ndigovaporesa.’ Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa. “Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi: Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira. Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro. Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa. Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko. Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.” Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda. Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo. “Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’ “Iye akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’ ” “Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’ “Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo. Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’ ” Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi kana painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.” Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, igoita kuti furawa iyi ifute.” Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.” Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzisi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.” Akapindura akati, “Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu. Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa, muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa. “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Umambo hwaMwari hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo. “Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka. Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga. “Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove. Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa. Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.” Jesu akabvunza akati, “Manzwisisa zvinhu izvi zvose here?” Vakapindura vakati, “Hongu.” Akati kwavari, “Naizvozvo mudzidzisi mumwe nomumwe womurayiro akadzidziswa nezvoumambo hwokudenga akafanana nomuridzi weimba anoburitsa pfuma itsva netsaru muimba yake yokuchengetera zvinhu.” Jesu akati apedza mifananidzo iyi, akabvapo. Akapinda muguta rokwake akatanga kudzidzisa vanhu musinagoge ravo, uye vakashamiswa nazvo. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi uchenjeri uhu namasimba ezvishamiso aya? Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanun'una vake vanoti Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi? Uye hanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu dzose here? Ko, zvino murume uyu akawanepi zvinhu zvose izvi?” Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.” Uye haana kuzoita zvishamiso zvizhinji imomo nokuda kwokusatenda kwavo. Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.” Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, munun'una wake, sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.” Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita. Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo, zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira. Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.” Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari, ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro uye ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu. Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa ari oga akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta. Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaponesa varwere vavo. Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.” Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.” Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi uye vadzidzi vakapa vanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana. Pakarepo Jesu akaudza vadzidza vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava. Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga, asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro. Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!” Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!” Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu. Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!” Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?” Uye vakati vapinda mugwa, mhepo ikanyarara. Zvino vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.” Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti. Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari uye vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa. Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti, “Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!” Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’ Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari, haachafaniri kukudza baba vake nacho. Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu. Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti: “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ” Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise. Icho chinopinda mumuromo momunhu hachimusvibisi, asi chinobuda mumuromo make ndicho chinomusvibisa.” Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?” Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa. Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.” Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.” Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa? Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze! Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu. Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu, asi kudya asina kushamba maoko hazvimusvibisi.” Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.” Jesu haana chaakapindura. Ipapa vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.” Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.” Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!” Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.” Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.” Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo. Jesu akabvapo akatevedza gungwa reGarirea. Ipapo akakwira mugomo akagara pasi. Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa. Vanhu vakashamiswa kuona mbeveve dzichitaura, mhetamakumbo dzichitwasanudzwa, vakaremara vachifamba namapofu achiona. Vakarumbidza Mwari weIsraeri. Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.” Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?” Jesu akabvunza akati, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe notuhove tushomashoma.” Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi. Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, uye akati avonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose. Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe. Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi. Mushure mokunge Jesu aendesa vanhu vazhinji ava, akapinda mugwa ndokubva aenda kudunhu reMagadhani. VaFarisi navaSadhusi vakauya kuna Jesu vakamuedza nokumukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. Akavapindura achiti, “Panosvika nguva yamadekwana munoti, ‘Mamiriro okunze achange akanaka nokuti denga rakatsvuka.’ Uye mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchanaya mvura ine dutu nokuti denga rakatsvuka uye kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi hapana chichapiwa kwarwuri kunze kwechiratidzo chaJona.” Ipapo Jesu akavasiya, uye akaenda kumwe. Pavakayambuka mhiri kwegungwa, vadzidzi vakakanganwa kutakura chingwa. Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Vakakurukura nezvenyaya iyi pakati pavo vakati, “Anodaro nokuti hatina kuuya nechingwa.” Achiziva izvi Jesu akavabvunza akati, “Imi vokutenda kuduku, ko, muri kutauriranei pakati penyu nezvokusava nechingwa? Hamusati mava kunzwisisa here? Hamurangariri here zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza? Kana kuti zvingwa zvinomwe zvavanhu zviuru zvina uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza? Hamunzwisisi sei kuti ndanga ndisingatauri kwamuri nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Ipapo vakanzwisisa kuti ainge asingavaudzi kuti vachenjerere mbiriso inoshandiswa muchingwa, asi nezvedzidziso yavaFarisi navaSadhusi. Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwewo vanoti Eria, vamwewo vachiti Jeremia kana mumwe wavaprofita.” Akabvunza akati, “Ko, imi munoti ndini ani?” Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga. Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuwo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga; chose chaunosunga pano pasi chichasungwa kudenga, uye chose chaunosunungura pano pasi nokudenga chichasunungurwa.” Ipapo akayambira vadzidzi vake kuti vasaudze ani zvake kuti iye ndiye Kristu. Kubva panguva iyoyo Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema kundotambudzwa zvizhinji pamaoko avakuru navaprista vakuru navadzidzisi vemirayiro uye kuti anofanira kuurayiwa nokumutswazve pazuva retatu. Petro akamutora padivi akatanga kumutsiura, akati, “Hazviitiki, Ishe. Izvi hazvisi kuzoitika kwamuri!” Jesu akatendeukira kwaari akati, “Enda shure kwangu Satani! Uri chigumburiso kwandiri nokuti hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako asi zvavanhu.” Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana. Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Nokuti Mwanakomana woMunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine vatumwa vake ipapo achapa mubayiro kuno mumwe nomumwe maererano namabasa ake. Ndinokuudzai chokwadi kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona Mwanakomana woMunhu achiuya muumambo hwake.” Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakhobho naJohani munun'una waJakhobho akakwira navo mugomo refu vari voga. Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza. Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu. Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.” Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!” Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo. Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.” Pavakasimudza misoro vachitarisa vakazongoona Jesu ava oga. Pavakanga vava kuburuka kubva mugomo, Jesu akavarayira achiti, “Musamboudza ani zvake zvamaona izvi kusvikira Mwanakomana woMunhu amutswa kubva kuvakafa.” Vadzidzi vakamubvunza vakati, “Ko, sei vadzidzisi vemirayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?” Jesu akapindura akati, “Ichokwadi kuti Eria achauya agovandudza zvinhu zvose. Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.” Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti aitaura kwavari nezvaJohani Mubhabhatidzi. Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati, “Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvino muwisira mumoto kana mumvura. Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa.” Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.” Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo. Ipapo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakamubvunza vachiti, “Ko, takonewa sei kuridzinga?” Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita. Asi rudzi urwu rwomweya runongobviswa chete nokunyengetera nokutsanya.” Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya asi pazuva retatu achamutswa.” Uye vadzidzi vakasuwa kwazvo. Jesu navadzidzi vake vakati vasvika muKapenaume, vateresi vomutemberi vakauya kuna Petro vakabvunza vachiti, “Ko, mudzidzisi wenyu haaripi mutero womutemberi here?” Akapindura akati, “Hongu, anoripa.” Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?” Petro akapindura akati, “Kuna vamwe.” Jesu akati, “Saka vana vakasununguka. Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape.” Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pana vose muumambo hwokudenga?” Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga. “Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini. Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika. “Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike. Ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena. “Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga. Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika. “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here? Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe namapfumbamwe asina kurasika. Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike. “Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wodzora hama yako. Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’ Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi. “Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga. “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa. Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.” Ipapo Petro akauya kuna Jesu uye akamubvunza achiti, “Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?” Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe. “Naizvozvo, umambo hwokudenga hwakafanana namambo aida kuripirwa zvikwereti zvake navaranda vake. Paakatanga kuzviongorora, murume ainge aine chikwereti chamatarenda zviuru gumia akauyiswa kwaari. Sezvo ainge asingakwanisi kuripa chikwereti ichi, tenzi wake akaronga kuti iye nomudzimai wake, navana vake nezvose zvaaiva nazvo zvitengeswe kuti zviripe chikwereti. “Muranda uya akazviwisira pamberi patenzi wake akamukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitireiwo mwoyo murefu, ndicharipa hangu zvose.’ Tenzi womuranda uya akamunzwira tsitsi, ndokubva adzima chikwereti chose chiya, uye akamuregedza achienda zvake. “Asi muranda uya paakabuda, akasangana nomumwewo muranda saiye ainge aine chikwereti chake chamadhenari zana. Akamubata ndokutanga kumudzipa. Akati, ‘Ndipe chikwereti changu!’ “Muranda uya saiye akapfugama ndokumukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakupa chikwereti chako.’ “Asi akaramba. Pamusoro pezvo akamusungisa uye akaita kuti aiswe mutorongo kusvikira aripa chikwereti chose. Vamwe varanda vakati vaona zvakanga zvaitika, zvakavatambudza zvikuru ndokubva vanoudza tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika. “Tenzi akadana muranda uya akati, ‘Iwe muranda akaipa. Ndakadzima chikwereti changu chawaiva nacho nokuti wakandikumbira zvikuru. Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe?’ Nehasha tenzi wake akamuisa kune vejeri kuti arangwe zvinorwadza kusvikira aripa chikwereti chose chaaiva nacho. “Izvi ndizvo zvichaitirwa mumwe nomumwe wenyu naBaba vangu vari kudenga kana musingaregereri hama yenyu nomwoyo wose.” Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda kudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko. Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?” Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi, akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’ Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.” Vakabvunzazve vachiti, “Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?” Jesu akapindura achiti, “Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga. Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.” Vadzidzi vake vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana.” Jesu akapindura akati kwavari, “Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripirwa. Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.” Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo. Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.” Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo. Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.” Murume uya akabvunza achiti, “Ipiko?” Jesu akapindura akati, “ ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema. Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ ” Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?” Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.” Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo. Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga. Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano mupfumi kuti apinde muumambo hwaMwari.” Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?” Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.” Petro akamupindura akati, “Takasiya zvose kuti tikuteverei! Zvino tichawaneiko?” Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri. Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanun'una kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira uye navazhinji vokupedzisira vachava vokutanga. “Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwananingwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa. Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa. “Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita. Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’ Saka vakaenda. “Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo. Nenguva inenge yegumi neimwe akabuda akawanazve vamwe vamire. Akavabvunza achiti, ‘Seiko, maswera makangomira pano zuva rose musina chamuri kuita?’ “Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’ Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’ “Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’ “Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari. Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari. Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda. Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’ “Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here? Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa. Ko, handina kodzero here yokuita zvandinoda nemari yangu? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda.’ “Saka vokupedzisira vachava vokutanga uye vokutanga vachava vokupedzisira.” Zvino Jesu paakanga achikwira kuJerusarema, akatora vadzidzi vake gumi navaviri parutivi akati kwavari, “Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vagomuisa kuvaHedheni kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!” Ipapo mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu navanakomana vavo, vakapfugama pamberi pake vaine chikumbiro. Akabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “Itaiwo kuti mumwe wavanakomana vangu vaviri ava agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.” Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?” Vakapindura vachiti, “Tinogona.” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchanwa mumukombe wangu, asi zvokuti mugare kurudyi kana kuruboshwe rwangu, handisini ndinopa. Nzvimbo idzi ndedzaavo vakadzigadzirirwa naBaba vangu.” Vane gumi vakati vanzwa izvi vakatsamwira mukoma nomunun'una ava. Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi vavaHedheni vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo. Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu, sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.” Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera. Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge apfuura nepo vakadanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzirisa, vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, “Munoda kuti ndikuitirei chiiko?” Vakapindura vachiti, “Ishe, tinoda kuona.” Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera. Vakati voswedera kuJerusarema uye vasvika muBhetifage pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, achiti kwavari, “Endai kumusha wamakatarisana nawo uye imomo muchaona mbongoro yakasungirirwa pamwe chete nomwana wayo. Mudzisunungure muuye nadzo kwandiri. Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, mumuudze kuti, Ishe anodzida uye achadzidzosa nokukurumidza.” Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa kubudikidza nomuprofita achiti: “Muti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, ari pamusoro pomwana wembongoro.’ ” Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga varayirwa naJesu. Vakauya nembongoro nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo pamusoro padzo, uye Jesu akagara pamusoro padzo. Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa. Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!” “Hosana kumusoro-soro!” Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?” Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.” Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa. Vakamubvunza vakati, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?” Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti: “ ‘Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo’?” Uye akavasiya akabuda muguta umu akaenda kuBhetani kwaakandovata. Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara. Achiona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava. Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, “Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika. Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.” Jesu akapinda muruvazhe rwetemberi, uye paakanga achidzidzisa, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari. Vakamubvunza vakati, “Muri kuita zvinhu izvi nesimba ripi? Uye ndiani akakupai simba irori?” Jesu akapindura akati, “Nemiwo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura ndichakuudzaiwo simba randiri kuita naro zvinhu izvi. Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepi? Rwakabva kudenga here kana kuvanhu?” Vakataurirana pakati pavo uye vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga’ achazobvunza kuti, ‘Zvino makaregerei kumutenda?’ Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ tinotya vanhu, nokuti vose vanotenda kuti Johani aiva muprofita.” Saka vakapindura Jesu vakati, “Hatizivi.” Ipapo iye akati, “Neni handingakuudzeiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.” “Munofungei nazvo? Paiva nomurume aiva navanakomana vaviri. Akaenda kuno wokutanga akati, ‘Mwanangu, enda nhasi unoshanda mumunda wemizambiringa.’ “Akavapindura achiti, ‘Handidi,’ asi pashure akazvidemba uye akazoenda hake. “Ipapo baba vaya vakazoenda kuno mumwe mwanakomana vakasvikomuudza zvimwe chetezvo. Iye akapindura achiti, ‘Ndichaenda, baba’ asi haana kuenda. “Ndoupiko pavaviri ava akaita zvaidiwa nababa vake?” Vakapindura vachiti, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, vateresi nezvifeve vari kukutangirai kupinda muumambo hwaMwari. Nokuti Johani akauya kwamuri kuti azokuratidzai nzira yokururama, uye hamuna kumutenda, asi vateresi nezvifeve vakatenda. Uye kunyange mushure mokunge maona izvi hamuna kutendeuka mukamutenda. “Inzwai mumwe mufananidzo. Kwakanga kuno mumwe murume akanga arima munda wake wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akacherera chisviniro chewaini uye akavaka shongwe. Ipapo akasiya munda womuzambiringa kuvarimi vaimupa mari uye iye akaenda parwendo rurefu. Nguva yokukohwa yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi vaya kuti vandotora michero yake. “Varimi vakabata varanda vaya, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, uye vakataka wechitatu namabwe. Ipapo akatumazve vamwe varanda kwavari, vakawanda kupfuura vokutanga, varimi vakavaitira zvimwe chetezvo. Pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari. Akati, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ “Asi varimi pavakaona mwanakomana vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai timuuraye, tigotora nhaka yake.’ Saka vakamutora vakamubudisa kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya. “Naizvozvo, panouya muridzi womunda womuzambiringa achaiteiko kuvarimi avo?” Vakapindura vakati, “Achaparadza varimi vakaipa ava, uye achapa munda womuzambiringa kuna vamwe varimi avo vachazomupa mugove wake wezvirimwa pakukohwa.” Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona. Ishe akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’? “Naizvozvo ndinokuudzai kuti umambo hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri huchipiwa kuvanhu vachabereka zvibereko zvahwo. Uyo anowira pamusoro pebwe iri achavhunika kuita zvidimbu zvidimbu asi uyo warichawira achapwanyiwa.” Vaprista vakuru navaFarisi pavakanzwa mifananidzo yaJesu, vakaziva kuti aitaura nezvavo. Vakatsvaka nzira yokuti vamusunge nayo, asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muprofita. Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa. Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya. “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’ “Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake. Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya. Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo. “Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye. Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’ Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa. “Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa. Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva. “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’ “Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.” Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake. Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani. Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?” Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko? Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.” Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda. Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana munun'una wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana. Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi. Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe. Pakupedzisira mukadzi akazofawo. Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?” Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari. Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga. Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti, ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakhobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.” Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake. Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete. Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo unoti, “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?” Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.” VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati, “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.” Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? nokuti anoti, “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ ” “Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?” Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo. Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti, “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi. Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza. Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise. Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo. Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusorosoro mumasinagoge. Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.” “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama. Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba mumwe chete uye vari kudenga. Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu. Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu. Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi. Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi. “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’ Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene? Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’ Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene? Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi. Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi. Uye uyo anopika netemberi anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi moshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga. Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora. Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anotaridzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina. Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama. Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’ Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita. Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu! “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena? Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta. Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZakaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu. “Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo. Tarira, wasiyirwa imba yako rangova dongo. Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’ ” Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi. Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.” Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?” Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji. Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika. Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana. Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa kwokubereka. “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu. Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana, uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji. Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora. Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa. Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika. “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga nganzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make. Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake. Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa! Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata. Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve. Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa. Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda. Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka. Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika. “Saka kana munhu upi zvake akakuudzai kuti, ‘Tarirai uyo ari kurenje,’ musabuda kuti muendeko kana kuti akati, ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda. Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu. Pose pano mutumbi ndipo pachaungana magora. “Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, ‘zuva richasviba, uye mwedzi hauzovheneki; nyeredzi dzichawa kubva kudenga, namasimba omuchadenga achazungunuswa.’ “Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe. “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava padyo. Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo. Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya nokunwa, vaiwana, nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka, uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro. Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe. Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri. “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira? Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake. Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose. Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’ uye ipapo iye otanga kurova vamwe varanda uye kudya nokunwa nezvidhakwa. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi. Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno. “Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba. Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera. Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi. Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo. Chikomba chakanonoka kusvika, vakabatwa nehope ndokuvata. “Pava pakati pousiku vakanzwa nemheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’ “Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo. Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’ “Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’ “Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa. “Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, ‘Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!’ “Asi akavapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.’ “Naizvozvo garai makagadzirira nokuti hamuzivi musi kana nguva. “Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake. Kuno mumwe akapa matarenda mashanua emari, uye kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake. Murume akapiwa matarenda mashanu akaenda pakarepo akandoshandisa mari yake akawanazve mamwe mashanu. Saizvozvo uya aiva namatarenda maviri akawana mamwe maviri. Asi murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake. “Shure kwenguva refu tenzi wavaranda vaya akadzoka akagadzirisa nezvemari idzi navo. Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu, tarirai ndakawana mamwe mashanu.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’ “Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’ “Ipapo murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akauya, akati, ‘Tenzi, ndakaziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kukusha mbeu. Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu? Zvino ungadai wakachengetesa mari yangu kune vamabhangi kuitira kuti pakudzoka kwangu ndaizoiwana yabereka. “ ‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi. Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, achava nezvakawanda. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa. Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’ “Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, uye vatumwa vose vanaye, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga. Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake. “Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’ “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’ “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini.’ “Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’ “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’ “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’ “Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.” Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi zvose, akati kuvadzidzi vake, “Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.” Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru, ainzi Kaifasi, uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya. Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.” namazana amadhora Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura. Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko? Mafuta anonhuwira angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.” Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo. Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose. Paadira mafuta anonhuwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu. Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.” Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru akandobvunza achiti, “Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?” Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha. Kubva ipapo zvichienda mberi Judhasi akamirira mukana wokuti amuise kwavari. Pazuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?” Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’ ” Saka vadzidzi vakaita sokurayirwa kwava kanga vaitwa vakandogadzira Pasika. Ava madekwana Jesu akagara patafura navane gumi navaviri. Vari pakati pokudya akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti mumwe wenyu achandipandukira.” Vakasuwa zvikuru uye vakatanga, mumwe nomumwe kuti, “Chokwadi, ndini here, Ishe?” Jesu akapindura akati, “Munhu aisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.” Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.” Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.” Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose. Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo. Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.” Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi. Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, boka ramakwai rigopararira.’ Asi mushure mokunge ndamuka, ndichafanotungamira kuGarirea.” Petro akapindura akati, “Kunyange vamwe vose vakatiza nokuda kwenyu, ini handizoiti izvozvo.” Jesu akati, “Ndinokuudza chokwadi kuti usiku huno chaihwo, jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Asi Petro akati kwaari, “Kunyange ndichifanira kufa nemi, handingatongokurambai.” Vamwe vadzidzi vose vakadarowo. Ipapo Jesu akaenda navadzidzi vake kunzvimbo inonzi Getsemani, uye akati kwavari, “Garai pano ini ndichienda apo kundonyengetera.” Akatora Petro navanakomana vaZebhedhi vaviri akaenda navo, uye akatanga kuva neshungu, uye akatambudzika. Ipapo akati kwavari, “Mweya wangu uri kushungurudzika kwazvo kusvika pakufa. Garai pano uye murinde pamwe chete neni.” Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu.” Ipapo akadzokera kuvadzidzi vake akavawana vavata. Akabvunza Petro achiti, “Varume, matadza kurinda neni kweawa imwe chete? Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta.” Akaendazve kechipiri akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvisingagoni kuti mukombe uyu ubviswe kwandiri kunze kwokutenge ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” Paakadzoka, akavawanazve vavata nokuti meso avo akanga azere nehope. Saka akavasiya akaendazve uye akanyengetera kechitatu, achitaura zvimwe chetezvo. Ipapo akadzokazve kuvadzidzi akati kwavari, “Muchakavata uye muchakazorora here? Tarirai, nguva yava pedyo, uye Mwanakomana woMunhu ari kupandukirwa achiiswa mumaoko avatadzi. Simukai, ngatichiendai! Anondipandukira uya ouya!” Paakanga achiri kutaura kudaro, Judhasi, mumwe wevane gumi navaviri akasvika. Akauya navanhu vazhinji vakanga vakabata minondo netsvimbo, vakanga vatumwa navaprista, vakuru navakuru vavanhu. Zvino uya akamupandukira ainge avaudza chiratidzo achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye; mumusunge.” Judhasi akaenda pakarepo kuna Jesu akati, “Kwaziwai, Rabhi!” uye akamutsvoda. Jesu akamupindura achiti, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo varume vakaswedera pedyo vakabata Jesu, vakamusunga. Ipapo mumwe waavo vaiva naJesu akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomuranda womuprista mukuru. Zvino Jesu akati kwaari, “Dzorera munondo wako mumuhara mawo, nokuti vose vanovhomora munondo vachafa nomunondo. Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makumi gumi namaviri? Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?” Panguva iyoyo Jesu akati kuvanhu vazhinji vaivapo, “Ko, ndinotungamira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuzondibata? Mazuva ose ndaigara mutemberi ndichidzidzisa uye hamuna kundisunga. Asi izvi zvose zvaitika kuti zvakanyorwa navaprofita zvizadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya uye vakatiza. Vaya vakanga vasunga Jesu vakaenda naye kuna Kayafasi, muprista mukuru, uko kwakanga kwakaungana vadzidzisi vomurayiro navamwe vakuru. Asi Petro akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvazhe rwomuprista mukuru. Akapinda akagara pasi pamwe chete navarindi kuti aone maperero azvo. Vaprista vakuru nedare rose ramakurukota vakanga vachitsvaka zvapupu zvenhema kuti zvipomere Jesu mhosva kuti vamuuraye. Asi havana zvavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvenhema zvakauya pamberi. Pakupedzisira, vaviri vakauya vakati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari ndigoivakazve namazuva matatu.’ ” Ipapo muprista mukuru akasimuka akati kuna Jesu, “Ko, haupinduri here? Uchapupu uhu hunorehwa navarume ava pamusoro pako ndohwei?” Asi Jesu akaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari, “Ndinokurayira, sezvo wapika naMwari mupenyu, kuti, ‘Tiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari.’ ” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.” Ipapo muprista mukuru akabvarura nguo dzake akati, “Ataura zvinomhura. Tichagodirei zvimwe zvapupu? Tarirai, zvino manzwa kumhura kwake. Munofungei nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa!” Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?” Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.” Asi akaramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura nezvazvo.” Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana uyo akati kuvanhu vose vaivapo, “Munhu uyu akanga ana Jesu weNazareta.” Akarambazve, akapika achiti, “Murume uyu handimuzivi!” Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, “Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwamatauriro ako.” Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, “Murume uyu handimuzivi!” Pakarepo jongwe rakarira. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti: “Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru. Mangwanani-ngwanani vaprista vose vakuru navakuru vavanhu vakabvumirana kuti Jesu aurayiwe. Vakamusunga, vakaenda naye vakandomuisa kuna Pirato uyo aiva mubati. Judhasi uya akanga amupandukira akati, aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru. Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.” Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira. Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.” Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa. Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi. Ipapo zvakabva zvazadziswa zvakataurwa nomuprofita Jeremia zvinoti, “Vakatora makumi matatu esirivha, mutengo waakatengeswa nawo navanhu veIsraeri, uye vakaashandisa kutenga nawo munda womuumbi wehari, sokurayirwa kwandakaitwa naIshe.” Panguva iyoyo Jesu akamira pamberi pomubati, uye mubati akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura achiti, “Hongu, ndizvo zvamataura.” Paakapomerwa navaprista vakuru navakuru vavanhu, haana chaakapindura. Ipapo Pirato akamubvunza achiti, “Iwe haunzwi here uchapupu hwezvavari kukupomera izvi?” Asi, Jesu akaramba anyerere, akasapindura kunyange chimwe zvacho, mubati akashamiswa kwazvo. Zvino yaiva tsika yomubati pamutambo kusunungura musungwa mumwe chete anenge asarudzwa navanhu vazhinji. Panguva iyoyo vaiva nomusungwa ainge anetsa kwazvo ainzi Bharabhasi. Saka vanhu vazhinji vakati vaungana, Pirato akavabvunza akati, “Ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana kuti Jesu anonzi Kristu?” Nokuti aiziva kuti vakanga vamuisa kwaari nokuda kwegodo. Pirato akati agere pachigaro chokutonga mukadzi wake akamutumira shoko iri rokuti: “Usawana chaunoita nomurume uyo asina mhosva, nokuti hope dzandarota nezvake usiku hwanhasi dzanditambudza kwazvo.” Asi vaprista vakuru navakuru vavanhu vakakurudzira vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi uye kuti Jesu aurayiwe. Mubati akabvunza akati, “Ndoupi pavaviri ava wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Vakapindura vakati, “Bharabhasi!” Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!” Pirato akabvunzazve achiti, “Nemhaka yei? Mhosva yake ndeyei?” Vanhu vazhinji vaya vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!” Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.” Ipapo akavasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe, uye akamupa kwavari kuti arovererwe pamuchinjikwa. Ipapo varwi vomubati vakatora Jesu vakaenda naye mumuzinda womubati uye vakaunganidza hondo yose paari. Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku. Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakaramba vachimurova nayo musoro. Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo uye vakaenda naye kunomuroverera pamuchinjikwa. Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakasvika panzvimbo inonzi Gorokota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya. Uye vakagara pasi, vakamurinda. Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.” Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!” Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari. Anovimba naMwari ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo. Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose. Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.” Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe. Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.” Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka. Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu. Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji. Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!” Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vachitarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu kubva kuGarirea kuti vamuriritire pane zvaaida. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakhobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi. Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu. Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe. Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena, akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda. Maria Magadharena nomumwe Maria vakanga varipo vagere pakatarisana neguva. Zuva rakatevera, iro rakatevera Zuva roKugadzirira, vaprista vakuru navaFarisi vakaenda kuna Pirato. Vakasvikoti, “Ishe, tinorangarira kuti achiri mupenyu, munyengeri uya akati, ‘Mushure mamazuva matatu, ndichamukazve.’ Saka rayirai kuti guva rake richengetedzwe kwazvo kusvika pazuva retatu. Zvimwe vadzidzi vake vangauye vakaba mutumbi wake vakaudza vanhu kuti akamutswa kuvakafa. Kunyengera kwokupedzisira uku kuchaipa kukunda kwokutanga.” Pirato akapindura akati, “Torai, varindi. Endai, mundochengetedza guva iroro semaziviro enyu.” Saka vakaenda vakandoita kuti richengetedzwe nokuisa chisimbiso pabwe, uye nokuisa varindi. Mushure meSabata, ava mambakwedza nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria vakaenda kundoona guva. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro. Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni uye nguo dzake dzakanga dzakachena sechando. Varindi vakamutya kwazvo zvokuti vakadedera vakaita savanhu vafa. Mutumwa akati kuvakadzi vaya, “Musatya nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu uyo akarovererwa pamuchinjikwa. Haapo pano; amuka sokutaura kwaakaita. Uyai muone panzvimbo paakanga avete. Zvino kurumidzai muende kundoudza vadzidzi vake kuti, ‘Amuka kubva kuvakafa uye kuti afanotungamira kuGarirea. Muchanomuona ikoko.’ Zvino ndakuudzai.” Saka vakadzi ava vakakurumidza kubva paguva vachitya asi vakazadzwa nomufaro, uye vakamhanya kundoudza vadzidzi vake. Pakarepo Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai.” Vakauya kwaari vakabata tsoka dzake uye vakamunamata. Ipapo Jesu akati kwavari, “Musatya. Endai mundoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea; ikoko ndiko kwavachanondiona.” Vakadzi vaya vachiri munzira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakandotaurira vaprista vakuru zvose zvakanga zvaitika. Vaprista vakuru vakati vasangana navakuru, uye vafunga zano, vakapa varwi mari zhinji vakavaudza kuti, “Imi munofanira kutaura muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tivete.’ Kana chiziviso ichi chikasvika munzeve dzomubati, isu tichaita kuti agutsikane uye imi musawira mudambudziko.” Saka varwi vakatora mari iya vakaita sezvavakanga varayirwa. Uye shoko iri rakaparadzirwa kwazvo pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi. Ipapo vadzidzi gumi nomumwe vakaenda kuGarirea, kugomo ravainge vaudzwa naJesu kuti vaende. Vakati vamuona, vakamunamata, asi vamwe vakakahadzika. Ipapo Jesu akasvika pavari akati, “Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri. Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.” Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi: “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako,” “inzwi rounodana murenje, richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ” Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari. Vachireurura zvivi zvavo, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rweJorodhani. Johani aipfeka nguo dzamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake, uye aidya mhashu nouchi hwesango. Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: “Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake. Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.” Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani. Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva. Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.” Pakarepo Mweya akamutumira kurenje, uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira. Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari. Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!” Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomunun'una wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera. Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo. Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera. Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro. Pakarepo mumwe munhu akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti, “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani— ndimi Mutsvene waMwari!” Jesu akamurayira akati, “Nyarara! Buda maari!” Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.” Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea. Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea. Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo. Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira. Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni. Guta rose rakaungana pamukova, uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani. Mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, Jesu akamuka akabuda mumba akaenda kunzvimbo yaakanga ari oga, ikoko akandonyengetera. Simoni navamwe vake vakaenda kundomutsvaka, uye vakati vamuwana, vakati, “Vanhu vose vanokutsvakai!” Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.” Saka akafamba nomuGarirea yose, achiparidza mumasinagoge avo uye achidzinga madhimoni. Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa. Jesu akamuendesa pakarepo akamuyambira zvikuru achiti, “Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.” Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose. Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha. Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari. Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.” Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vachifunga mumwoyo yavo, vachiti, “Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?” Pakarepo Jesu akazviziva mumweya wake kuti ndizvo zvavakanga vachifunga mumwoyo yavo, uye akati kwavari, “Seiko muchifunga zvinhu izvi? Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe?’ Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kuna akanga akafa mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba.” Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Hatina kumboona chinhu chakadai!” Ipapo Jesu akabudazve akaenda kugungwa. Vanhu vazhinji zhinji vakauya kwaari uye akatanga kuvadzidzisa. Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifiasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera. Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru paimba yaRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, uye navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera. Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi vakati vachimuona achidya na“vatadzi” uye navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi uye na‘vatadzi’?” Akati achinzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.” Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachitsanya. Vamwe vanhu vakauya vakabvunza Jesu vakati, “Sei vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya, asi venyu vasingatsanyi?” Jesu akapindura akati, “Shamwari dzechikomba dzingatsanya seiko kana iye achinavo? Havangadaro, kana iye achinavo. Asi nguva ichasvika ichabviswa chikomba kwavari, uye pazuva iroro vachatsanya. “Hakuna munhu anoisa chigamba chitsva panguo tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chichabvarura chitsaru, zvoita kuti buri racho rinyanye kukura. Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo dzamatehwe tsaru. Kana akaita izvozvo, waini ichaputitsa matehwe, uye zvose waini nedehwe rewaini zvichaparara. Kwete, anodira waini itsva muhombodo itsva.” Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achipfuura nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakati vachifamba naye, vakatanga kutanha hura dzezviyo. VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, seiko vachiita zvisingatenderwi nomusi weSabata.” Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi iye navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara? Mumazuva aAbhiatari muprista mukuru, akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakatsaurwa, chinongotenderwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo vamwe vaaiva navo.” Ipapo akati kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata. Saka mwanakomana woMunhu ndiye Ishe kunyange weSabata.” Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata. Jesu akati kumunhu akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere. Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa. Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu. Jesu akabva kugungwa navadzidzi vake, uye vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera. Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni. Akaudza vadzidzi vake kuti vamuswededzere igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo. Ainge aporesa vazhinji, zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate. Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.” Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti iye ndiani. Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya kwaari. Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni. Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro); Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira); Andirea, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifasi, Tadheo, Simoni muZeroti naJudhasi Iskarioti, uyo akamupandukira. Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uyezve vazhinji vakaungana, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya. Mhuri yake yakati yazvinzwa, vakaenda kundomubata, nokuti vakati, “Ava kupenga.” Uye vadzidzisi vomurayiro vaibva kuJerusarema vakati, “Akabatwa nomweya waBheerizebhubhi! Ari kudzinga madhimoni nomuchinda wamadhimoni.” Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani? Kana umambo huchizvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira. Kana imba ichizvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira. Uye kana Satani achizvipikisa pachake uye achizvipesanisa, haangagoni kumira; kuguma kwake kwasvika. Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba uye akatakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa. Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.” Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.” Ipapo mai vaJesu navanun'una vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze. Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakamuudza kuti, “Mai venyu navanun'una venyu vari kukutsvakai panze.” Iye akati, “Vanamai vangu navanun'una vangu ndivanaaniko?” Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanun'una vangu! Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye munun'una wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.” Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe. Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati, “Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya. Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko. Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.” Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu. Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo kuitira kuti, “ ‘zvimwe vangaramba vachiona, asi varege kuonesesa; uye vachinzwa, asi varege kunzwisisa; kana kuti vangatendeuka uye vakaregererwa!’ ” Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo? Murimi anokusha shoko. Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo. Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarabwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro. Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa. Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko; asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuwo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko. Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.” Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here? Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena. Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda. Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.” Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu. Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei. Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura. Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.” Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure? Hwakafanana netsanga yemastadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu. Asi kana yadyarwa, inokura uye igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.” Nemimwe mifananidzo yakadai, Jesu akataura shoko kwavari, zvose zvavaigona kunzwisisa. Haana kutaura chinhu chimwe kwavari asingashandisi mufananidzo. Asi paainge ari oga navadzidzi vake, aivatsanangurira zvose. Zuva iroro ava madekwana, akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei kuno rumwe rutivi.” Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye mugwa, sezvaakanga ari. Pakanga pane mamwewo magwa aaiva nawo. Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura. Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?” Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru. Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?” Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!” Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGeraseni. Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye. Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani. Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda. Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo. Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira pamabvi ake mberi kwake. Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari woWokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!” Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!” Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.” Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo. Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi. Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.” Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya. Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga akabatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo. Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo. Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye. Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.” Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa. Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa. Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro kuti agoporeswa uye ararame.” Saka Jesu akaenda naye. Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana. Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake, nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.” Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake. Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?” Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ” Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo. Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose. Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.” Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?” Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.” Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani munun'una waJakobho. Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru. Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka. Asi akavabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, vakapinda makanga muno mwana. Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”) Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru. Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya. Jesu akabva ipapo akaenda kuguta rokwake, vadzidzi vake vachimutevera. Sabata rakati rasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, uye vazhinji vakamunzwa vakashamiswa. Vakabvunza vachiti, “Munhu uyu akawanepi zvinhu izvi? Uchenjeri hupi uhu hwaakapiwa hwokuti anotoita zvishamiso? Ko, haasiye muvezi here? Ko, haasiye mwanakomana waMaria here nomukoma waJakobho, Josefa, Judhasi naSimoni? Ko, hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Uye vakagumburwa naye. Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.” Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye akavaporesa. Uye akashamiswa nokusatenda kwavo. Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa. Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu. Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri. Pose pamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva muguta iroro. Uye kana pane nzvimbo icharamba kukugamuchirai kana kukuteererai, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva, chive chapupu pamusoro pavo.” Vakabuda vakaenda kundoparidza kuti vanhu vatendeuke. Vakadzinga madhimoni mazhinji uye vakazodza mafuta vanhu vazhinji vairwara uye vakavaporesa. Mambo Herodhi akanzwa nezvazvo, nokuti zita raJesu rakanga rozivikanwa kwazvo. Vamwe vakanga vachiti, “Johani Mubhabhatidzi akamutswa kubva kuvakafa; uye ndokusaka zviratidzo zvesimba zvichiitika.” Vamwe vakati, “NdiEria.” Uye vamwezve vakati, “Ndiye muprofita, akaita somumwe wavaprofita vekare.” Asi Herodhi akati anzwa izvozvo, akati, “Johani, murume wandakagura musoro, akamutswa kubva kuvakafa!” Nokuti Herodhi pachake akanga arayira kuti Johani asungwe, uye akaita kuti asungwe nengetani uye aiswe mutorongo. Akaita izvi nokuda kwaHerodhiasi mukadzi womunun'una wake Firipi waakanga awana. Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hazvitenderwi kuti utore mukadzi womunun'una wako.” Saka Herodhiasi akachengeta ruvengo mumwoyo make pamusoro paJohani uye akada kumuuraya. Asi akanga asingakwanisi kuita izvozvo, nokuti Herodhi aitya Johani uye akamudzivirira, achimuziva somunhu akanga akarurama nomutsvene. Herodhi akati anzwa Johani, akakanganisika zvikuru; asi akanga achifarira kumuteerera. Pakupedzisira mukana wakazovapo. Pazuva rokuberekwa kwake, Herodhi akaitira vabati vake vakuru, navakuru vamauto uye navarume vaitungamirira muGarirea mabiko. Mwanasikana waHerodhiasi akati apinda akatamba, akafadza Herodhi navakanga vakokwa kuzodya. Mambo akati kumusikana, “Ndikumbire chipi zvacho chaunoda, uye ndichakupa chinhu ichocho.” Uye akamuvimbisa nemhiko achiti, “Chose chauchakumbira ndichakupa chinhu ichocho, kusvikira pahafu youmambo hwangu.” Akabuda kunze akandoti kuna mai vake, “Ndichakumbireiko?” Ivo vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.” Pakarepo musikana akamhanya akapinda kuna mambo nechikumbiro akati, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino musoro waJohani Mubhabhatidzi mundiro umu.” Mambo akatambudzika zvikuru, asi nokuda kwemhiko yake uye nokuda kwevaakanga achidya navo, haana kuda kumurambira. Saka pakarepo akatuma murwi akarayira kuti vauye nomusoro waJohani. Murume akaenda akandogura musoro waJohani mutorongo, akadzoka nomusoro wake uri mundiro. Iye akaupa kumusikana, uye musikana akaupa kuna mai vake. Vadzidzi vaJohani vakati vanzwa izvi vakauya vakatora mutumbi wake vakauviga mubwiro. Vapostori vakaungana pana Jesu uye vakamuudza zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa. Zvino nokuda kwokuti vanhu vazhinji vakanga vachingouya nokuenda zvokuti havana kugona kuwana kunyange mukana wokudya, akati kwavari, “Handei tose, imi neni chete, kunzvimbo yakanyarara kuti mumbondozorora.” Saka vakaenda voga mugwa kunzvimbo yakanyarara. Asi vazhinji vakavaona vachibva vakavaziva uye vakamhanya netsoka vachibva kumaguta ose vakavatangira kusvikako. Jesu akati aburuka uye achiona vanhu vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asina mufudzi. Saka akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji. Zvino zuva rava kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Nzvimbo ino irenje, uye kwava kudoka. Itai kuti vanhu vaende kumaruwa nemisha yakapoteredza kuti vandozvitengera zvokudya.” Asi iye akapindura akati, “Imi vapei zvokudya.” Vakati kwaari, “Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?” Akati, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mundotarisa.” Vakati vazviona, vakati, “Zvishanu, uye nehove mbiri.” Ipapo Jesu akavarayira kuti vagarise vanhu vose pasi mumapoka pauswa hunyoro. Saka vakagara pasi mumapoka ane zana uye ane makumi mashanu. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri. Varume vakanga vadya vaisvika zviuru zvishanu. Pakarepo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vakwire mugwa uye kuti vafanotungamira kuBhetisaidha, iye achiri kuendesa vanhu vazhinji. Akati aonekana navo, akakwira mugomo kundonyengetera. Ava madekwana, igwa rakanga rava pakati pegungwa, uye iye aiva oga kunyika. Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura, asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzimudzangara. Vakadanidzira, nokuti vose vakamuona uye vakatya. Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.” Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru, nokuti vakanga vasati vanzwisisa nezvezvingwa, mwoyo yavo yakanga iri mikukutu. Vakati vayambuka mhiri, vakasvika paGenesareti uye vakamisa igwa ipapo. Vakati vachingobuda mugwa, vanhu vakaziva Jesu. Vakamhanya nomunyika iyo yose vakatakura vanorwara pamaponde vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti ndiko kwaari. Uye pose paakaenda mumisha, mumaguta kana mumaruwa, vakaisa varwere mumisika. Vakamukumbira kuti avabvumire kubata kunyange mupendero wejasi rake, uye vose vakamubata vakaporeswa. VaFarisi navamwe vavadzidzisi vomurayiro vakanga vauya kuJerusarema vakaungana pana Jesu uye vakaona vamwe vavadzidzi vake vachidya zvokudya namaoko akanga ane “tsvina,” ndiko kuti, asina kushambwa. VaFarisi navaJudha vose havadyi kunze kwokunge vamboshamba maoko avo, vachichengeta tsika dzavakuru. Pavanenge vadzoka kumusika, havadyi kunze kwokunge vashamba. Uye vanocherechedza dzimwe tsika zhinji, dzakadai sokushambidza mikombe, matende, nemidziyo yokuvirisa mvura. Saka vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakabvunza Jesu vakati, “Seiko vadzidzi venyu vachirega kurarama zviri maererano netsika dzavakuru, zvavanodya zvokudya zvavo ‘namaoko ane tsvina’?” Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanondinamata pasina; dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.’ Makasiya mirayiro yaMwari uye mukachengetedza tsika dzavanhu.” Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo! Nokuti Mozisi akati, ‘Kudza baba vako namai vako,’ uye ‘Munhu upi zvake achatuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.’ Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari), ipapo hamuchamuregi achiitira baba kana mai vake chinhu chipi zvacho. Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro.” Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi. Hakuna chinhu chinobva kunze ‘chinosvibisa’ munhu nokupinda maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti ‘asvibe.’ Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Zvino akati abva pavanhu vazhinji uye apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu. Akati, “Hamunzwisisi seiko? Hamuoni kuti hakuna chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze chinogona ‘kumusvibisa’? Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu make, uyezve zvichizobuda mumuviri wake.” Nokutaura uku, Jesu akati zvokudya zvose zvakanaka. Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’ ” Jesu akabva panzvimbo iyo akaenda pedyo neTire. Akapinda mumba akasada kuzivikanwa nomunhu; asi akanga asingagoni kuzvivanza. Zvakaitika ndezvokuti, paakangonzwa nezvake, mukadzi aiva nomwanasikana akanga akabatwa nomweya wetsvina akauya akawira patsoka dzake. Mukadzi uyu aiva muGiriki, akaberekerwa muFonishia yomuSiria. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge dhimoni mumwanasikana wake. Jesu akati kwaari, “Vana vanofanira kutanga kudya zvavanoda, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira kumbwa dzavo.” Iye akapindura akati, “Hongu Ishe, asi kunyange imbwa dziri pasi petafura dzinodya zvimedu zvezvokudya zvavana wani.” Ipapo akati kwaari, “Nokuda kwemhinduro yakadai, enda hako; dhimoni rabva pamwanasikana wako.” Akadzokera kumba kwake akawana mwana wake avete pamubhedha, uye dhimoni raenda. Ipapo Jesu akabva kunzvimbo yeTire akaenda nokuSidhoni, akaburukira kuGungwa reGarirea uye nokudunhu reDhekapori. Ikoko vamwe vanhu vakauya kwaari nomurume akanga ari matsi uye asingagoni kutaura zvakawanda, uye vakamukumbira kwazvo kuti aise ruoko rwake pamusoro pomurume uyu. Akati aenda naye parutivi, kure noruzhinji, Jesu akaisa minwe yake munzeve dzake. Ipapo akapfira mate akabata rurimi rwomurume uya. Akatarisa kudenga uye nokugomera kukuru akati kwaari, “Efata!” (kureva kuti, “Dziuka!”) Pakarepo, nzeve dzomurume uya dzakadziuka, rurimi rwake rukasunungurwa uye akatanga kutaura zvakanaka. Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu. Asi paakanyanya kuita izvozvo, ndipo pavakanyanya kutaura nezvazvo. Vanhu vakashamiswa zvikuru kwazvo. Vakati, “Akaita zvinhu zvose nenzira yakanaka. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye nembeveve dzitaure.” Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaungana. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati, “Ndino urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya. Kana ndikavaendesa vane nzara kumusha, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure.” Vadzidzi vake vakati, “Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.” Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo. Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu. Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu. Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa, akapinda mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta. VaFarisi vakasvika ndokutanga kubvunza Jesu. Kuti vamuedze, vakamukumbira chiratidzo chaibva kudenga. Akagomera zvikuru akati, “Seiko rudzi urwu ruchikumbira chiratidzo? Ndinokuudzai chokwadi, hakuna chiratidzo chichapiwa kwarwuri.” Ipapo akavasiya, akadzokera mugwa akayambukira kuno rumwe rutivi. Vadzidzi vakanga vakanganwa kuuya nechingwa, kunze kwechimwe chete chavakanga vanacho mugwa. Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai. Ngwarirai mbiriso yavaFarisi neyaHerodhi.” Vakataurirana vachiti, “Imhaka yokuti hatina chingwa.” Achiziva zvavaitaurirana, Jesu akavabvunza akati, “Seiko muchitaura pamusoro pokuti hamuna chingwa? Heya, muchigere kuona kana kunzwisisa nhai? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu nhai? Heya, mune meso asi hamuoni, uye mune nzeve asi hamugoni kunzwa nhai? Uye hamurangariri here? Pandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu zvingwa zvishanu, makazadza matengu mangani ezvimedu zvakasara?” Vakati, “Gumi namaviri.” “Uye pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makazadza matengu mangani ezvimedu?” Vakapindura vakati, “Manomwe.” Akati kwavari, “Hamunzwisisi nazvino here?” Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate. Akabata munhu akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?” Iye akatarisa kumusoro akati, “Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba.” Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka. Jesu akamuendesa kumba achiti, “Usapinda mumusha.” Jesu navadzidzi vake vakapfuurira kumisha yakapoteredza Kesaria Firipi. Vari munzira akavabvunza achiti, “Vanhu vanoti ndini aniko?” Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi; vamwe vanoti Eria; vamwezve vanoti, mumwe wavaprofita.” Iye akati, “Asi imi munoti kudini? Munoti ndini aniko?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu.” Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake. Akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji uye agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye kuti anofanira kuurayiwa, uye shure kwamazuva matatu agomukazve. Akataura pachena pamusoro pazvo, uye Petro akaenda naye parutivi akatanga kumutsiura. Asi Jesu akati atendeuka akatarira kuvadzidzi vake, akatsiura Petro akati, “Enda shure kwangu, Satani! Iwe hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako, asi zvinhu zvavanhu.” Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, “Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa. Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Kana munhu achinyadzwa uye achinyadzwa namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadzwawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba navatumwa vatsvene.” Uye akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazoraviri rufu vasati vaona umambo hwaMwari huchisvika nesimba.” Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo. Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno. Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu. Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akashaya zvokutaura, vakanga votya zvikuru. Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!” Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu. Pavakanga vava kuburuka mugomo, Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu upi zvake zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kuvakafa. Vakachengeta shoko iri pakati pavo, vachikurukurirana pamusoro pokuti, “kumuka kwavakafa” kunorevei. Uye vakamubvunza vakati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?” Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa? Asi ndinoti kwamuri, Eria akauya, uye vakaita kwaari zvinhu zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.” Vakati vasvika kuna vamwe vadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji vakavakomberedza uye vadzidzisi vomurayiro vachiita nharo navo. Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa. Akati, “Muri kuvabvunzeiko?” Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve. Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.” Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.” Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo. Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?” Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake. Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.” Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kuna anotenda.” Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!” Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.” Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.” Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akasimuka. Mushure mokunge Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Seiko isu takakonewa kuudzinga?” Akapindura achiti, “Rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.” Vakabva panzvimbo iyoyo vakapfuura nomuGarirea. Jesu akanga asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu kuti vaiva kupi, nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka.” Asi havana kunzwisisa zvaakanga achireva uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo. Vakasvika kuKapenaume. Paakanga ari mumba, akavabvunza akati, “Manga muchikakavadzana pamusoro peiko munzira?” Asi vakanyarara nokuti vakanga vakakavadzana vari munzira pamusoro pokuti mukuru ndiani. Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.” Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma.” Johani akati, “Mudzidzisi, taona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikamudzivisa, nokuti anga asiri mumwe wedu.” Jesu akati, “Musamudzivisa. Hakuna munhu anoita chishamiso muzita rangu angazotaura zvakaipa pamusoro pangu panguva dzinotevera, nokuti ani naani asingarwisani nesu ndowedu. Ndinokuudzai chokwadi, ani naani anokupai mukombe wemvura muzita rangu nokuda kwokuti muri vaKristu zvirokwazvo haangazorasikirwi nomubayiro wake. “Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotendeka kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make. Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kusingambodzimwi moto, umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. Uye kana tsoka yako ichiita kuti utadze, igure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri, umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena, uko “ ‘kusingafi honye dzavo uye moto wacho usingadzimwi.’ Munhu wose acharungwa nomoto. “Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.” Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa. Vamwe vaFarisi vakauya vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinotenderwa here kuti munhu arambe mukadzi wake?” Iye akati, “Mozisi akakurayirai kuti kudiniko?” Ivo vakati, “Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana uye agomuendesa.” Jesu akapindura akati, “Nokuti mwoyo yenyu yakanga iri mikukutu, Mozisi akakunyorerai murayiro uyu. Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’ Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake, uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” Vakati vapindazve mumba, vadzidzi vakabvunza Jesu pamusoro paizvozvi. Iye akapindura akati, “Ani naani anoramba mukadzi wake uye akawana mumwe mukadzi, ava kuita upombwe naye. Uye kana iye akarambawo murume wake uye akawanikwa nomumwe murume, anoita upombwe naye.” Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura. Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai. Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.” Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza. Jesu akati achifamba munzira, mumwe munhu akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akapindura akati, “Unondiidzireiko akanaka? Hakuna munhu akanaka kunze kwaMwari oga. Mirayiro unoiziva here inoti: ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.’ ” Iye akati, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubvira ndichiri mukomana.” Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.” Anzwa izvi akasuwa kwazvo. Akaenda akasuwa, nokuti akanga ane pfuma zhinji. Jesu akatarira-tarira ndokuti kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akatizve, “Vana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari! Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vadzidzi vakanyanya kushamiswa, uye vakati pakati pavo, “Zvino ndianiko angaponeswa?” Jesu akatarisa kwavari akati, “Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari.” Petro akati kwaari, “Isu takasiya zvinhu zvose kuti tikuteverei!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanun'una kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achakonewa kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanun'una, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi. Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga.” Vakanga vari munzira vachikwira kuJerusarema, Jesu achivatungamirira nzira, uye vadzidzi vakakatyamara, asi vaya vakanga vachitevera vakanga vachitya. Akatorazve vane gumi navaviri vari voga uye akavaudza zvaizoitika kwaari. Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko avaHedheni, avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.” Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.” Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.” Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?” Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo, asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana ruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.” Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwa nokuda kwaJakobho naJohani. Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi vavaHedheni vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo. Hazvina kudaro kwamuri. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose. Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikunuro rwavazhinji.” Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achikumbira. Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana munhu uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.” Akarasa jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu. Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.” Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira. Pavakanga vava kusvika kuJerusarema uye vasvika kuBhetifage nokuBhetani paGomo reMiorivhi, Jesu akatuma vaviri vavadzidzi vake, achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopinda mauri, muchawana mwana wembongoro akasungirirwa ipapo, asina kumbotasvwa nomunhu. Mumusunungure mugouya naye pano. Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’ ” Vakaenda vakandowana mwana wembongoro ari kunze munzira yomumusha, akasungirirwa pamukova. Pavakamusunungura, vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?” Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda. Uye vakauya nembongoro iyi kuna Jesu uye vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi. Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, uye vamwe vachiwaridza matavi avakanga vatema musango. Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!” “Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!” “Hosana kumusoro-soro!” Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri. Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Uye vadzidzi vake vakamunzwa achidaro. Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi uye akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga uye vachitengesa imomo. Akapidigura tafura dzavaitsinhana mari uye nezvigaro zvavaitengesa njiva, uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chetemberi. Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti: “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose’? Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ” Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vanhu vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake. Madekwana akati asvika, vakaenda kunze kweguta. Mangwanani, pavakanga vachifamba, vakaona muonde wakaoma kubva kumidzi. Petro akarangarira akati kuna Jesu, “Rabhi, tarirai! Muonde wamakatuka waoma!” Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu. Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako: Asi kana usingaregereri, Baba vako vari kudenga havazoregereri zvivi zvako.” Vakasvikazve muJerusarema, uye Jesu paaifamba mutemberi, vaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro navakuru vakauya kwaari. Vakati, “Unoita zvinhu izvi nesimba ripiko? Uye ndiani akakupa simba rokuita izvi?” Jesu akapindura akati, “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, uye ini ndigokuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi. Rubhabhatidzo rwaJohani, rwakabva kudenga kana kuti kuvanhu? Ndiudzei!” Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Zvino makaregereiko kumutenda?’ Asi kana tikati kuvanhu…” (Vakanga vachitya vanhu, nokuti vanhu vose vaitenda kuti Johani akanga ari muprofita zvechokwadi.) Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Jesu akati, “Neniwo handikuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.” Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo achiti, “Mumwe murume akasima munda wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akachera gomba rechisviniro chewaini uye akavaka shongwe yokurinda. Ipapo akauchengetesa kuvarimi uye akaenda parwendo. Pakukohwa akatuma muranda kumuchengeti womunda kuti andotora kwavari zvimwe zvemichero yomunda wemizambiringa. Asi vakamubata, vakamurova vakamudzosa asina chinhu. Ipapo akatuma mumwe muranda; vakarova murume uyu mumusoro vakamunyadzisa zvikuru. Akapamhazve kutuma mumwe, uye uyo vakamuuraya. Akatuma vamwe vazhinji; vamwe vavo vakavarova, vamwe vakavauraya. “Akanga asara nomumwe chete wokutuma, mwanakomana, uyo waaida kwazvo. Akamutuma kwokupedzisira achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ “Asi vachengeti vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai, ngatimuurayei, nhaka igova yedu.’ Saka vakamutora vakamuuraya, vakamurasira kunze kwomunda wemizambiringa. “Zvino muridzi womunda wemizambiringa achaiteiko? Achauya agouraya vachengeti vaya vomunda agopa munda wemizambiringa kuna vamwe. Ko, hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti: “ ‘Dombo rakarambwa navavaki ndiro rava musoro wekona; Ishe akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’?” Ipapo vakatsvaka nzira yokumusunga nayo nokuti vakaziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu vazhinji; saka vakamusiya vakaenda. Shure kwaizvozvo vakatuma vamwe vavaFarisi navaHerodhi kuna Jesu kuti vandomubata namashoko ake. Vakauya kwaari vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama. Imi hamutsauswi navanhu, nokuti hamuteereri kuti ndivanaani, asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Zvakanaka here kuripa mutero kuna Kesari kana kuti kwete? Tinofanira kuripa here kana kuti tinofanira kuregera?” Asi Jesu achiziva kunyengera kwavo, akati, “Seiko muchiedza kunditeya? Ndipei kuno dhenari ndirione.” Vakauya nemari yacho, iye akavabvunza akati, “Mufananidzo uyu ndowani? Uye runyoro urwu ndorwani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye kuna Mwari zvaMwari.” Uye vakashamiswa naye. Ipapo vaSadhusi, vaya vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa uye akasiya mukadzi asi asina vana, munun'una wake anofanira kuwana chirikadzi uye amutsire mukoma wake vana. Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe chete vanomwe. Wokutanga akawana uye akafa akasasiya vana. Wechipiri akatora chirikadzi iya, asi naiyewo akafa, akasasiya vana. Ndizvo zvakaitikawo kuno wechitatu. Zviripo ndezvokuti, hakuna pavanomwe ava akasiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi akazofawo. Pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waani, sezvo akanga akawanikwa navanomwe ava?” Jesu akapindura akati, “Hamuna kurasika here nokuda kwokusaziva Magwaro kana simba raMwari? Vakafa pavanomuka, havazowani uye havazowaniswi; vachaita savatumwa vokudenga. Zvino pamusoro pokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, panhoroondo dzegwenzi raipfuta, kuti Mwari akati kwaari, ‘Ndini Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho?’ Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu. Makarasika kwazvo!” Mumwe wavadzidzisi vomurayiro akauya akavanzwa vachitaurirana. Akaona kuti Jesu akanga avapa mhinduro yakanaka, akamubvunza akati, “Pamirayiro yose, ndoupiko unonyanya kukosha?” Jesu akapindura akati, “Unonyanya kukosha, ndouyu: ‘Inzwa, iwe Israeri, Ishe Mwari wedu, Ishe ndiye mumwe chete. Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kwose uye nesimba rako rose.’ Wechipiri ndouyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuna murayiro mukuru kupfuura iyi.” Murume akapindura akati, “Mapindura zvakanaka, mudzidzisi. Mataura chokwadi pamataura kuti Mwari ndiye mumwe chete uye hakuna mumwe kunze kwake. Kumuda nomwoyo wako wose, nokunzwisisa kwako kwose uye nesimba rako rose, uye kuda wokwako sezvaunozvida iwe ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvipiriso zvose zvinopiswa, nezvibayiro.” Jesu akati aona kuti akanga apindura nokuchenjera, akati kwaari, “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Uye kubvira ipapo hakuna munhu akazotsunga kumubvunza mimwezve mibvunzo. Jesu paakanga achidzidzisa ari mutemberi, akabvunza akati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi pachake achitaura noMweya Mutsvene, akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.” ’ Davhidhi pachake anomuti ‘Ishe.’ Zvino anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vazhinji vakateerera kwaari nomufaro. Pakudzidzisa kwake, Jesu akati, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba nenguo refu uye vachikwaziswa mumisika, uye kuti vave nezvigaro zvakakwirira kwazvo mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko. Vanopedza dzimba dzechirikadzi uye vanoita munyengetero mirefu kuti vaonekwe navanhu. Vanhu vakadai vacharangwa zvikuru kwazvo.” Jesu akagara pasi akatarisana nenzvimbo yaiiswa zvipo uye akatarisisa vanhu vazhinji vachiisa mari yavo muchivigiro chemari mutemberi. Vapfumi vazhinji vaikandamo mari zhinji. Asi chirikadzi yakasvika ikaisamo tumari tuviri tuduku. Jesu akadana vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, chirikadzi murombo iyi yaisa mari zhinji muchivigiro kupfuura vamwe vose. Vose vapa kubva paupfumi hwavo; asi chirikadzi iyi yapa, ichitora pakushayiwa kwayo, yaisa zvose zvose zvayanga ichifanira kurarama nazvo.” Paakanga ava kubuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati, “Mudzidzisi, tarirai kukura kwakaita matombo! Iko kunaka kwedzimba!” Jesu akapindura akati, “Uri kuona dzimba huru dzose idzi? Hapana ibwe pano richasiyiwa riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.” Jesu paakanga agere paGomo reMiorivhi pakatarisana netemberi, Petro, Jakobho, Johani naAndirea vakamubvunza vari voga vakati, “Tiudzei, kuti zvinhu izvi zvichaitika rini? Uye chii chichava chiratidzo chokuti zvose zvava pedyo nokuzozadziswa?” Jesu akati kwavari, “Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anokutsausai. Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji. Pamunonzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, musavhunduka. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika, asi kuguma kuchazosvika hako. Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwokurwadziwa kwokusununguka. “Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari. Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose. Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene. “Mukoma achaurayisa munun'una, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa. “Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kana kupinda mumba kuti abudise chinhu chipi zvacho chiri mumba. Munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kumba kuti andotora jasi rake. Zvichava zvinotyisa zvakadiniko kuvakadzi vane mimba navanoyamwiswa mumazuva iwayo! Nyengeterai kuti izvi zvirege kuitika munguva yechando, nokuti ayo achava mazuva okutambudzika asina kumbovapo kubva pakutanga, Mwari paakasika nyika, kusvikira zvino, uye haachazombovapozve. Dai Ishe akanga asina kutapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama. Asi nokuda kwavasanangurwa, avo vaakasarudza, akaatapudza hake. Panguva iyo kana munhu akati kwauri, ‘Tarira, houno Kristu!’ kana kuti, ‘Tarira, uyo apo!’ musazvitenda. Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana dai zvichigona. Saka mugare makarinda; ndagara ndakuudzai zvinhu zvose zvisati zvaitika. “Asi mumazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, “ ‘zuva richasvibiswa, uye mwedzi hauchazovhenekeri; nyeredzi dzichawa kudenga, uye masimba okudenga achadengenyeka.’ “Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya. Uye achatuma vatumwa vake, vagounganidza vasanangurwa kubva kumhepo ina, kubva kumagumo enyika kusvikira kumigumo yamatenga. “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Paunongotanga kuva namatavi manyoro uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvoitika, zivai kuti ava pedyo, atova pamukova. Ndinokuudzai chokwadi, zvirokwazvo rudzi urwu harungapfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Hakuna munhu anoziva nezvezuva iro kana nguva iyo, kunyange vatumwa kudenga, kana Mwanakomana, asi Baba voga. Rindai! Svinurai! Hamuzivi kuti nguva iyo inosvika rini. Zvakaita somunhu anoenda kure: Anosiya imba yake akaichengetesa varanda vake, mumwe nomumwe pabasa rake, uye agoudza ari pamukova kuti agare akarinda. “Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi musi unouya muridzi weimba, zvimwe madekwana, kana usiku, kana pakurira kwejongwe, kana mambakwedza. Kana akakurumidza kuuya, musamurega achiwana muvete. Zvandinotaura kwamuri, ndinotaura kuvanhu vose ndichiti, ‘Rindai!’ ” Zvino kwakanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika noMutambo weChingwa Chisina Mbiriso zviitwe, uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yokuti vasunge Jesu nayo uye kuti vamuuraye. Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo, kuti vanhu varege kuita bope.” Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chamafuta earabhasita, mafuta anokosha kwazvo, akanga akaitwa nenaridho yakaisvonaka. Akaputsa chinu akadururira mafuta mumusoro wake. Vamwe vakanga varipo vakanga vachitaura vakatsamwa pakati pavo vachiti, “Seiko vachitambisa mafuta aya kudai? Angadai atengeswa nomutengo uno mubayiro kupfuura wegore rose, uye mari yacho yapiwa kuvarombo.” Uye vakatsiura mukadzi uyu nehasha. Jesu akati kwavari, “Musiyei akadaro. Munomunetsereiko? Aita chinhu chakanaka kwandiri. Varombo munavo nguva dzose, uye munogona kuvabatsira panguva ipi zvayo yamunoda. Asi hamuzogari muneni nguva dzose. Aita zvaanogona. Adururira mafuta anonhuwira pamuviri wangu zvichigere kusvika, kuti agadzirire kuvigwa kwangu. Ndinokuudzai chokwadi, kwose kunozoparidzwa vhangeri panyika yose, zvaaita izvi zvicharehwawo, vachimurangarira nazvo.” Ipapo Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvaprista vakuru kuti andotengesa Jesu kwavari. Vakafara kunzwa izvi uye vakavimbisa kumupa mari. Saka akamirira mukana wokumuisa kwavari. Pazuva rokutanga roMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, zvayakanga iri tsika yavo yokubayira gwayana rePasika, vadzidzi vaJesu vakamubvunza vakati, “Munoda kuti tiende kupi kwatingandokugadzirirai Pasika kuti mudye?” Saka akatuma vadzidzi vake vaviri akati kwavari, “Endai muguta, uye muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere. Muti kumwene weimba yaanopinda mairi, ‘Mudzidzisi anobvunza kuti: Imba yangu yavaeni, mandingadyira Pasika navadzidzi vangu ndeipiko?’ Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakatorongedzwa uye yakagadzirwa. Mutigadziriremo.” Vadzidzi vakabva, vakapinda muguta vakawana zvinhu zvakaita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika. Ava madekwana, Jesu akasvika navane gumi navaviri. Vakati vagere pakudya, iye akati, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira, mumwe ari kudya neni.” Vakasuwiswa nazvo, mumwe nomumwe akati kwaari, “Zvirokwazvo, kwete ini?” Iye akapindura akati, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, iye anoseva chingwa chake mundiro neni. Mwanakomana woMunhu achaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvaiva nani kwaari dai akanga asina kuzvarwa.” Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.” Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri. Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji. Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva iro pandichazonwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.” Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi. Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.’ Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea.” Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.” Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vose vakadarowo. Vakaenda kunzvimbo inonzi Getsemani, uye Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichambondonyengetera.” Akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye, akatanga kushungurudzika zvikuru uye akatambudzika. Akati, “Mweya wangu wazara neshungu kwazvo kusvikira pakufa. Garai pano uye murambe makarinda.” Akati aenda chinhambwe zvishoma, akawira pasi uye akanyengetera kuti kana zvichibvira nguva iyi ipfuure, ibve kwaari. Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Wavata here? Wanga usingagoni kurinda kwenguva imwe here? Rindai uye munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.” Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo. Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari. Achidzokerazve kechitatu akati kwavari, “Muchakavata uye muchiri kuzorora here? Zvaringana! Nguva yasvika. Tarirai, Mwanakomana woMunhu oiswa mumaoko avatadzi. Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!” Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaonekwa. Akanga ana vanhu vazhinji vakapakata minondo netsvimbo, vatumwa navaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro, uye navakuru. Zvino mutengesi akanga aronga navo chiratidzo achiti, “Munhu wandichatsvoda ndiye wacho; mumusunge mugoenda naye navarindi.” Paakangosvika, Judhasi akaenda kuna Jesu, akati, “Rabhi!” ndokumutsvoda. Vanhu vakabata Jesu vakamusunga. Ipapo mumwe akanga amire pedyo akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake. Jesu akati, “Ko, ndiri kutungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuti muzondibata? Mazuva ose ndaiva nemi, ndichidzidzisa mutemberi, uye hamuna kundisunga. Asi Magwaro anofanira kuzadziswa.” Ipapo vose vakamusiya vakatiza. Rimwe jaya, rakanga rakapfeka mucheka bedzi, rakanga richitevera Jesu. Vakati varibata, rakatiza risina kupfeka, rikasiya nguo yaro mumashure. Vakaenda naJesu kumuprista mukuru, uye vamwe vaprista vose vakuru navadzidzisi vomurayiro vakaungana pamwe chete. Petro akamutevera ari nechokure, kusvikira apinda muruvazhe rwomuprista mukuru. Akagara navarindi achidziya moto. Vaprista vakuru namakurukota ose vakanga vachitsvaka chavangapa Jesu mhosva nacho kuitira kuti vagomuuraya, asi havana kuwana chinhu. Vazhinji vakamupupurira nhema, asi uchapupu hwavo hahuna kupindirana. Ipapo vamwe vakasimuka vakapa uchapupu hwenhema uhu pamusoro pake vachiti, “Takamunzwa achiti, ‘Ndichaparadza temberi iyi yakavakwa navanhu uye shure kwamazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa navanhu.’ ” Kunyange ipapozve uchapupu hwavo hahuna kupindirana. Ipapo muprista mukuru akamira pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Ko, haupinduri here? Uchapupu hwaunopomerwa navanhu ava ndohweiko?” Asi Jesu akaramba anyerere uye akasapindura. Muprista mukuru akamubvunzazve achiti, “Ndiwe Kristu here, Mwanakomana waIye Akaropafadzwa?” Jesu akati, “Ndini. Uye muchaona Mwanakomana woMunhu agere kuruoko rworudyi rwaIye Wamasimba uye achiuya ari pamakore okudenga.” Muprista mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvimwe zvapupu? Manzwa kumhura kwake. Munofungeiko?” Vose vakamutonga vachiti aifanira kufa. Ipapo vamwe vakatanga kumupfira mate; vakamusunga kumeso, vakamurova nezvibhakera, vachiti, “Profita!” Uye varindi vakamutora vakamurova. Petro paakanga achiri muruvazhe, mumwe musikana, murandakadzi womuprista mukuru akasvikapo. Akati aona Petro achidziya moto akamucherechedza. Akati kwaari, “Newewo wakanga una Jesu, weNazareta.” Asi iye akaramba akati, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva,” uye akabuda akandomira pamukova wokupinda nawo. Akati aonekwazve nomusikana uyu aiva murandakadzi, musikana akatizve kuna avo vakanga vamirepo, “Munhu uyu ndomumwe wavo.” Iye akarambazve izvozvo. Mushure menguva pfupi, vaya vakanga vamirepo vakati kuna Petro, “Chokwadi, iwe uri mumwe wavo, nokuti uri muGarirea.” Akatanga kutuka nokupika achiti, “Handizivi munhu uyu wamunotaura nezvake.” Pakarepo jongwe rakarira kechipiri. Ipapo Petro akarangarira shoko raJesu raakanga ataura kwaari achiti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akawira pasi uye akachema. Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakapa mutongo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato. Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.” Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo. Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.” Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo. Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu. Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu. Vanhu vazhinji vakauya vakakumbira Pirato kuti avaitire zvaaisiita. Pirato akabvunza akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” achiziva kuti zvaingova zvegodo ravaprista vakuru kuti vakaisa Jesu mumaoko ake. Asi vaprista vakuru vakamutsa mwoyo yavazhinji kuti vaite kuti Pirato asunungure Bharabhasi pachinzvimbo chaJesu. Pirato akabvunza akati, “Ndichaiteiko, zvino, nouyo wamunoti mambo wavaJudha?” Vakadanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!” Pirato akavabvunza akati, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yeiko?” Asi vakanyanya kudanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!” Achida kufadza vanhu, Pirato akasunungura Bharabhasi. Akaita kuti Jesu arohwe, uye akamuendesa kuti andorovererwa. Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda wainzi Piritoriamu uye vakaunganidza pamwe chete ungano yose yavarwi. Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira ngundu yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake. Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!” Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata. Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorokota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa. Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei. Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera. Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA. Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe. Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.” Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu, chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!” Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo. Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.” Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akaisa parutanda, akaipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Muregei zvino. Regai tione kana Eria achiuya kuti azomuburutsa.” Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi. Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye akaona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari!” Vamwe vakadzi vakanga vachitarira vari kure. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho, munun'una waJosesi, naSarome. Vakadzi ava vomuGarirea ndivo vaimutevera uye vachimushandira. Vakadzi vazhinji vakanga vauya naye kuJerusarema vakanga varipowo. Rakanga riri Zuva roKugadzirira (ndiro rinotangira Sabata.) Saka kwovira, Josefa weArimatea, nhengo yeDare Guru yaiva nomukurumbira, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari, akatsunga kuenda kuna Pirato kundokumbira mutumbi waJesu. Pirato akashamiswa kunzwa kuti akanga atofa. Akatuma mukuru wezana, akamubvunza kana Jesu akanga afa. Akati anzwa kubva kumukuru wezana kuti zvakanga zviri izvo, akapa mutumbi kuna Josefa. Saka akauya nemimwe micheka, akaburutsa mutumbi, akauputira nomucheka, akauyisa muguva rakacherwa paruware. Ipapo akakungurutsira ibwe pamuromo weguva. Maria Magadharena naMaria mai vaJosesi vakaona paakavigwa. Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu. Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira, uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?” Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa. Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka. Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa. Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Iye afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’ ” Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya. Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe. Akaenda akandoudza vaya vaimbova naye uye vakanga vachiungudza uye vachichema. Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda. Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa. Ava vakadzoka vakandozivisa vakasara; asi naivowo havana kuvatenda. Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake. Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose. Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa. Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva; vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.” Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari. Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo uye akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera. Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu, sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri naavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko. Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa, kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa. Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni. Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa. Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo. Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake uye achibata somuprista pamberi paMwari, akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuwira mutemberi yaShe. Uye nguva yokupisa zvinonhuwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera. Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuwira. Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani. Iye achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwokuberekwa kwake, nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake. Achadzorera vanhu vazhinji vaIsraeri kuna She Mwari wavo. Uye achafamba pamberi paShe, mumweya nomusimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana vavo uye kuti vasingateereri vadzokere kuuchenjeri hwavakarurama, kuti agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira Ishe.” Zekaria akabvunza mutumwa akati, “Ndichazviziva seiko izvi? Ini ndava murume mutana uye mukadzi wangu achembera kwazvo.” Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe uye kuti ndizokuudza nhau dzakanaka idzi. Uye iye zvino uchava chimumumu uye uchatadza kutaura kusvikira pazuva razvichaitika, nokuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achaitika nenguva yawo.” Zvichakadaro, vanhu vakanga vakamirira Zekaria vakashamiswa kuti akanga atora nguva yakareba kudai seiko ari mutemberi. Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura. Nguva yokushumira kwake yakati yapera, akadzokera kumba kwake. Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akaramba akazvivanza kwemwedzi mishanu. Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.” Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea, kumhandara yakanga yatsidzira kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria. Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.” Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.” Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?” Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba roWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari. Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki. Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.” Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari. Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea, uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti. Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene. Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara! Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri? Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro. Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!” Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu, nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake. Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa, nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene. Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kumarudzi kusvikira kuna mamwe marudzi. Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa. Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu. Akabatsira muranda wake Israeri, achirangarira kuva nengoni, kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.” Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye ipapo akazodzokera zvake kumusha. Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana wake, akazvara mwana mukomana. Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye. Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria, asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.” Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.” Ipapo vakataura namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana. Iye akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo. Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari. Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose. Munhu wose akazvinzwa akashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye. Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti: “Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe, nokuti akauya akadzikinura vanhu vake. Iye akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi, sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare, iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu naparuoko rwavose vanotivenga, kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene, mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama: kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu, uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi, muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose. “Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita woWokumusoro-soro; nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira, kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo, nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu, naye zuva richatibudira richibva kudenga, kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri worufu, uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.” Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri. Mumazuva iwayo Kesari Ogasito akapa chirevo chokuti vagari vose venyika dzose dzaitongwa neRoma vaverengwe. Uku ndiko kwaiva kuverengwa kwokutanga kwakaitwa panguva yaKuriniasi paakanga ari mubati weSiria. Uye mumwe nomumwe akaenda kuguta rake kuti andonyoresa. Saka Josefawo akakwira achibva kuguta reNazareta muGarirea achienda kuJudhea, kuBheterehema guta raDhavhidhi nokuti akanga ari weimba yaDhavhidhi noworudzi rwake. Akaenda ikoko kundonyoresa naMaria, waakanga atsidzira kuzowanana naye uye akanga ava napamuviri. Vachiri ikoko, nguva yokuzvarwa kwomwana yakasvika, akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo. Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku. Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomba, uye vakatya kwazvo. Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose. Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.” Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti: “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.” Vatumwa vakati vabva kwavari uye vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehema tindoona chinhu chaitika ichi, chataudzwa nezvacho naShe.” Saka vakakurumidza kusimuka vakaenda vakandowana Maria naJosefa, nomwana, akanga avete muchidyiro chezvipfuwo. Vakati vamuona, vakaparadzira shoko maererano nezvakanga zvataurwa pamusoro pomwana uyu, uye vose vakazvinzwa vakashamiswa nezvavakataurirwa navafudzi. Asi Maria akachengeta zvinhu zvose izvi akazvifungisisa mumwoyo make. Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa uye zvavakaona, zvakanga zvakangoita sezvavakanga vataurirwa. Pazuva rorusere, nguva yokudzingiswa kwake yasvika, akatumidzwa zita rokuti Jesu, zita raakanga apiwa nomutumwa asati aumbwa mudumbu. Nguva yokuzvinatsa kwavo maererano noMurayiro waMozisi yakati yakwana, Josefa naMaria vakaenda naye kuJerusarema kundomukumikidza kuna She (sezvazvakanyorwa muMurayiro waShe, kuti “Mwanakomana wose wedangwe anofanira kutsaurirwa kuna She”) uye kuti vabayire chibayiro maererano nezvinorehwa muMurayiro waShe zvichinzi: “njiva mbiri kana hangaiwa duku mbiri.” Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake. Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe. Iye akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro, Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti: “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa, zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare. Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose, chiedza chinovhenekera vaHedheni uye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.” Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake. Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa, kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.” Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake, ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera. Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema. Josefa naMaria vakati vaita zvose zvaidikanwa noMurayiro waShe, vakadzokera kuGarirea kuguta ravo reNazareta. Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake. Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika. Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwira naye kuMutambo, maererano netsika yavo. Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi. Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo. Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka. Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera nokuvabvunza mibvunzo. Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake. Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.” Iye akati, Manga muchinditsvakireiko? “Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?” Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari. Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo. Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, uye achidiwa naMwari uye navanhu. Mugore regumi neshanu rokutonga kwaTibheriasi Kesari, Pondio Pirato paakanga ari mubati weJudhea, Herodhi ari mubati weGarirea, munun'una wake Firipi ari mubati weIturea neTirakoniti, uye Risania ari mubati weAbhurini, panguva youprista hwaAnasi naKefasi, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekaria mugwenga. Iye akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi. Sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi: “Inzwi rounodana murenje, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake. Mipata yose ichafushirwa, makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa. Migwagwa yakakombama ichatwasanudzwa, pasakaenzana pachaenzaniswa. Uye marudzi ose avanhu achaona ruponeso rwaMwari.’ ” Johani akati kuvanhu vazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka! Ndianiko akuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya? Chiberekai zvibereko zvinoenderana nokutendeuka. Uye musatanga kuti mumwoyo menyu, ‘Abhurahama ndiye baba vedu.’ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kumutsira Abhurahama vana pamabwe aya. Demo ratoiswa pamidzi yemiti, uye muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.” Vanhu vazhinji vakati, “Zvino toita seiko?” Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye naane zvokudya ngaaitewo saizvozvo.” Vateresi vakauyawo kuzobhabhatidzwa. Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, toita seiko?” Akati kwavari, “Musatora mari inopfuura mwero wamunofanira kutora.” Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.” Vanhu vakanga vakamirira vakatarisira, uye vose vakanga vachikahadzika mumwoyo mavo kuti zvimwe Johani akanga ari iye Kristu. Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura, ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto. Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.” Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari. Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womukoma wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita, Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo. Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.” Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Akanga ari mwanakomana, sokuonekwa kwazvo, waJosefa, mwanakomana waHeri, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMereki, mwanakomana waJani, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNahumi, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai, mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha, mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, mwanakomana waNeri, mwanakomana waMereki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhami, mwanakomana waEri, mwanakomana waJoshua, mwanakomana waEriezeri, mwanakomana waJerimi, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonami, mwanakomana waEriakimi, mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waJese, mwanakomana waSarumoni, mwanakomana waNahashoni, mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waRami, mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPerezi, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahama, mwanakomana waTera, mwanakomana waNahori, mwanakomana waSerugi, mwanakomana waReu, mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbha, mwanakomana waShera, mwanakomana waKainani, mwanakomana waArifasadhi, mwanakomana waShamu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki, mwanakomana waMetusera, mwanakomana waEnoki, mwanakomana waJaredhi, mwanakomana waMaharareri, mwanakomana waKenani, mwanakomana waEnoshi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari. Jesu, azere noMweya Mutsvene, akadzoka kubva paJorodhani akatungamirirwa noMweya mugwenga, umo maakaedzwa naSatani kwamazuva makumi mana. Haana chaakadya pamazuva iwayo, uye pakupera kwamazuva iwayo akanzwa nzara. Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ ” Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza pakarepo umambo hwose hwenyika. Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda. Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ” Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Iye acharayira vatumwa vake pamusoro pako kuti vakuchengete kwazvo; vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ” Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ” Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva. Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika. Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza. Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge. Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti: “Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa, kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.” Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati ndee kwaari, uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.” Vose vakataura zvakanaka pamusoro pake uye vakashamiswa namashoko akanaka akanga achibuda mumuromo make. Vakati, “Ko, uyu haazi mwanakomana waJosefa here?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchataura tsumo iyi kwandiri muchiti: ‘Murapi, chizvirapa! Itawo muguta rako rino zvatakanzwa kuti wakaita muKapenaume.’ ” Akaenderera mberi achiti, “Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna muprofita anogamuchirwa muguta rake. Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo panyika yose. Asi Eria haana kutumwa kuno mumwe wavo, asi kuchirikadzi yeZerafati munyika yeSidhoni. Uye kwaiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yaEria muprofita, asi hapana mumwe chete pakati pavo akanatswa kunze kwaNaamani muSiria.” Vanhu vose vakanga vari musinagoge vakatsamwa kwazvo pavakanzwa izvi. Vakasimuka, vakamubudisa muguta, vakamutora vakaenda naye kumucheto cheto kwechikomo chakanga chakavakirwa guta ravo, kuti vamusundidzire kumawere. Asi akafamba napakati peungano akaenda zvake. Ipapo akaburuka zasi kweKapenaume, guta riri muGarirea, akatanga kudzidzisa vanhu nomusi weSabata. Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti shoko rake raiva nesimba. Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti, “A! Munodeiko kwatiri imi Jesu weNazareta? Ko, mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinoziva kuti muri ani, muri Mutsvene waMwari!” Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza. Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba uye ichibuda!” Mukurumbira wake wakapararira munzvimbo dzose dzakapoteredza. Jesu akabva pasinagoge akaenda kumba kwaSimoni. Zvino mai vomukadzi waSimoni vairwara nefivha, uye vakakumbira Jesu kuti avabatsire. Saka akakotamira kwavari akarayira fivha, ikabva pavari. Vakasimuka pakarepo uye vakatanga kuvashandira. Zuva rakati rodoka, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vana marudzi akasiyana-siyana ezvirwere, akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa. Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu. Mangwanani-ngwanani, Jesu akaenda kunzvimbo yakanyarara ari oga. Vanhu vakanga vachimutsvaka uye vakati vamuwana paakanga ari, vakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari. Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Uye akaramba achiparidza mumasinagoge eJudhea. Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari, uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka usvasvi hwavo. Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa. Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.” Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu usvasvi.” Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye utava hwavo hukatanga kubvaruka. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune imwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura. Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!” Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata, uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.” Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera, Jesu akati achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Iye akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida imi, munogona kundinatsa.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari. Ipapo Jesu akamurayira akati, “Usaudza munhu, asi enda undozviratidza kumuprista ugopa zvibayiro zvakarayirwa naMozisi zvokunatswa kwako, chive chapupu kwavari.” Asi mukurumbira wake wakapararira kwazvo, zvokuti vanhu vazhinji zhinji vakauya kuzomunzwa uye kuti vaporeswe zvirwere zvavo. Asi Jesu kazhinji aizvitsaura achienda kusina vanhu kuti andonyengetera. Rimwe zuva paaidzidzisa, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro, vakanga vabva mumisha yose yeGarirea neJudhea uye neJerusarema, vakanga vagerepo. Uye simba raShe rakanga riripo kuti aporese vanorwara. Vamwe varume vakasvika vakatakura murume akanga akaoma mutezo parukukwe vakaedza kuti vamupinze mumba kuti vandomuradzika pamberi paJesu. Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfuriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati, “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.” VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko munhu uyu anotaura achimhura Mwari. Ndianiko anoregerera zvivi kunze kwaMwari chete?” Jesu aiziva zvavaifunga uye akabvunza achiti, “Seiko muchifunga zvinhu izvi mumwoyo yenyu? Ndezvipiko zvakareruka: kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kumurume akanga akaoma mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba.” Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora rukukwe rwaakanga avete parwuri akaenda kumba achirumbidza Mwari. Munhu wose akashamiswa nazvo akarumbidza Mwari. Vakazadzwa nokutya vakati, “Taona zvinhu zvinoshamisa nhasi.” Shure kwaizvozvo, Jesu akabuda akaona muteresi ainzi Revhi akagara paimba yake yokuteresa. Jesu akati kwaari, “Nditevere.” Revhi akasimuka, akasiya zvinhu zvose uye akamutevera. Ipapo Revhi akaitira Jesu mabiko makuru pamba pake, uye vateresi vazhinji kwazvo navamwewo vakadya navo. Asi vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vari veboka ravo vakagunun'una vakati kuvadzidzi vake, “Seiko muchidya navateresi navatadzi?” Jesu akavapindura akati, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke.” Ivo vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji uye vachinyengetera, uye vadzidzi vavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanoramba vachidya nokunwa.” Jesu akavapindura akati, “Hamungagoni kuita kuti shamwari dzechikomba dzitsanye iye achinavo. Asi nguva ichauya apo chikomba chichabviswa kwavari; mumazuva iwayo vachatsanya.” Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Hakuna munhu anobvarura chigamba kubva panguo itsva achichisonera panguo tsaru. Kana akadaro, anenge abvarura nguo itsva, uye chigamba chinobva panguo itsva hachibatsiri panguo tsaru. Uye hakuna anodira waini itsva muguchu ramatehwe matsaru. Kana akadaro, waini itsva ichatsemura matehwe, waini itsva ichateuka uye maguchu ewaini achaparadzwa. Kwete, waini itsva inofanira kudirwa mumaguchi amatehwe matsva. Uye hakuna munhu anoti ambonwa waini tsaru ozoda waini itsva, nokuti anoti, ‘Tsaru iri nani.’ ” Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho. Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?” Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake? Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.” Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.” Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara. VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata. Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo. Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?” Akatarisa kwavari vose, ipapo akati kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukavandudzwa kwazvo. Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu. Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari. Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori: Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro), munun'una wake Andirea, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti, Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki. Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye vanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni, vakanga vauya kuzomunzwa uye kuti vazoporeswa pahosha dzavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa, uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari uye richivaporesa vose. Akatarira kuvadzidzi vake, akati: “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu. Makaropafadzwa imi vane nzara zvino, nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi vanochema zvino, nokuti muchaseka. Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai, vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu serakaipa, nokuda kwoMwanakomana woMunhu. “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo. “Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare. Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imi vanoseka zvino, Nokuti muchaungudza uye muchachema. Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro. “Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai, ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai. Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati. Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke. Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe. “Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada. Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo. Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana. Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana voWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa. Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi. “Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye imi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye imi muchazoregererwawo. Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.” Akavaudzawo mufananidzo uyu: “Bofu ringatungamirira bofu here? Havangawiri mugomba vose vari vaviri here? Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anenge adzidziswa zvakakwana ndiye achaita somudzidzisi wake. “Seiko uchitarisa rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi usingatariri danda riri muziso rako pachako? Ungareva seiko kuhama yako uchiti, ‘Hama, rega ndikubvise rubanzu rwuri muziso rako, asi, iwe pachako uchitadza kuona danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kuti ubvise rubanzu muziso rehama yako. “Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka. Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato. Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make. “Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva? Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita. Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka. Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.” Jesu akati apedza kutaura zvose izvi vanhu vachizvinzwa, akapinda muKapenaume. Imomo maiva nomuranda womukuru wezana, uyo aidiwa chose natenzi wake, akanga achirwara uye ava kuda kufa. Mukuru wezana akanzwa nezvaJesu uye akatuma vamwe vakuru vavaJudha kwaari, achimukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. Vakati vasvika kuna Jesu, vakamukumbira zvikuru vachiti, “Munhu uyu akafanira kuti mumuitire izvi, nokuti anoda rudzi rwedu uye ndiye akavaka sinagoge redu.” Naizvozvo Jesu akaenda navo. Akanga asiri kure nomusha pakatumwa shamwari nomukuru wezana kuti dzindoti kwaari, “Ishe, musazvinetsa zvenyu, nokuti handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Ndokusaka ndisina kumbofunga kuti ini ndive nekodzero yokuuya kwamuri. Asi, taurai henyu shoko, ipapo muranda wangu achapora. Nokuti ini pachangu, ndiri munhu ari pasi pavamwe, uye ndine varwi vari pasi pangu. Ndinoti kuno uyu, ‘Enda,’ uye anoenda, kuno mumwe, ‘Uya’ uye anouya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ uye anochiita.” Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa kwazvo naye, akatendeukira kuvanhu vazhinji vaimutevera akati, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai kunyange muIsraeri.” Ipapo varume vaya vakanga vatumwa vakadzokera kumba vakawana muranda uya apora. Pasina kupera nguva refu, Jesu akaenda kuguta rainzi Naini, uye vadzidzi vake navanhu vazhinji kwazvo vakaendawo naye. Kuzoti ave kuswedera pasuwo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo. Ishe akati achimuona, mwoyo wake wakamunzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.” Ipapo akaswederako akabata hwanyanza, uye vaya vakanga vakamutakura vakamira. Iye akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” Munhu uya akanga afa akamuka akagara akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna mai vake. Vose vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari. Vakati, “Muprofita mukuru amuka pakati pedu. Mwari auya kuzobatsira vanhu vake.” Shoko iri pamusoro paJesu rakapararira muJudhea yose nenyika dzose dzakapoteredza. Vadzidzi vaJohani vakamuudza pamusoro pezvinhu izvi zvose. Akadana vaviri vavo, akavatuma kuna She kuti vandobvunza kuti, “Ndimi here iye aifanira kuuya kana kuti tomirira mumwewo?” Varume ava vakati vasvika kuna Jesu, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatituma kwamuri kuti tizobvunza kuti, ‘Ndimi here mainzi muchauya, kana kuti timirire mumwewo?’ ” Panguva iyoyo Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere, hosha nemweya yakaipa uye akasvinudza vazhinji vakanga vari mapofu. Saka akapindura nhume akati, “Dzokerai munoudza Johani zvamaona nezvamanzwa zvokuti: Mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vaya vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa uye vhangeri riri kuparidzwa kuvarombo. Akaropafadzwa munhu asingagumbuswi nokuda kwangu.” Shure kwokubva kwenhume dzaJohani, Jesu akatanga kutaura kuvanhu vazhinji pamusoro paJohani achiti, “Makabuda mukaenda kurenje kundooneiko? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here? Kana zvisizvo, makabuda kundooneiko? Munhu akanga akafuka nguo dzakanaka here? Kwete, vaya vanopfeka nguo dzomutengo mukuru uye vanogara zvakanaka ndivo vari mumizinda. Asi makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinokuudzai, uye anokunda muprofita. Ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi: “ ‘Ndichatuma munyai wangu pamberi pako, uyo achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’ Ndinokuudzai kuti, pakati paavo vose vakaberekwa navakadzi hakuna mukuru kuna Johani; asi muduku muumambo hwaMwari mukuru kwaari.” Vanhu vose, kunyange navateresi, vakati vanzwa mashoko aJesu, vakabvuma kuti nzira yaMwari yakarurama, nokuti vakanga vabhabhatidzwa naJohani. Asi vaFarisi nenyanzvi dzomurayiro vakaramba kuda kwaMwari pamusoro pavo, nokuti vakanga vasina kubhabhatidzwa naJohani. “Zvino, ndingafananidza rudzi rwakadai neiko? Vakafanana neiko? Vakaita savana vagere pamusika vachidanidzira kuno mumwe nomumwe wavo vachiti: “ ‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’ Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa uye asinganwi waini, imi mukati, ‘Ane dhimoni.’ Mwanakomana Womunhu akauya achidya uye achinwa, imi mukati, ‘Houno munhu wamadyo uye chidhakwa, shamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunoruramiswa navana vahwo vose.” Zvino mumwe wavaFarisi akakoka Jesu kuti azodya naye, saka akaenda kumba kwomuFarisi uyu akandogara kuti adye. Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuwira earabhasteri, uye paakanga akamira shure kwake patsoka dzake achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuwira. Zvino muFarisi uya akanga amukoka akati achiona izvi, akati mumwoyo make, “Dai munhu uyu anga ari muprofita, angadai aiziva kuti amubata ndiani uye kuti mukadzi uyu akaita sei, uye kuti mutadzi.” Jesu akamupindura akati, “Simoni, ndine chinhu chandinoda kukutaurira.” Iye akati, “Ndiudzei henyu mudzidzisi.” “Vamwe varume vaviri vakanga vane chikwereti kumunhu mumwe chete. Mumwe akanga ane chikwereti chamadhenari mazana mashanu, uye mumwe madhenari makumi mashanu. Hakuna akanga ane mari yokuripa chikwereti pavari vose vari vaviri, saka nyakukweretesa akadzima zvikwereti zvavo vose. Zvino ndoupiko pauviri hwavo achanyanya kumuda?” Simoni akapindura akati, “Ndinofunga kuti ndouya akadzimirwa chikwereti chikuru.” Jesu akati, “Wataura zvakanaka.” Ipapo akatendeukira kumukadzi ndokuti kuna Simoni, “Unoona here mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa kana mvura yokugeza tsoka dzangu, asi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake uye akadzipukuta nebvudzi romusoro wake. Iwe hauna kunditsvoda, asi mukadzi uyu, kubvira panguva yandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu. Iwe hauna kuzodza musoro wangu namafuta, asi iye adira zvinonhuwira patsoka dzangu. Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.” Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvivi zvako zvaregererwa.” Vamwe vakanga vakokwa vakatanga pakati pavo kuti, “Ndianiko anoti kunyange nezvivi anokanganwira?” Jesu akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuponesa; chienda norugare.” Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba nomumaguta memisha, achiparidza vhangeri roumambo hwaMwari. Vane gumi navavari vakanga vanaye, uye vamwewo vakadzi vakanga vaporeswa pazvirwere nemweya yakaipa vaiti: Maria (ainzi Magadharina) uya akanga abudiswa mweya yakaipa, minomwe maari, Joana mukadzi waKuza, mutariri weimba yaHerodhi Suzana, navamwe vazhinji. Vakadzi ava vaivabatsira nokuvatsigira nezvavaiva nazvo. Ungano huru yakati yakaungana uye vanhu vakanga vachibva kumaguta namaguta vakauya kuna Jesu, ipapo akavataurira mufananidzo uyu: “Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, imwe yakawira munzira, ikatsikwa-tsikwa uye shiri dzedenga dzikaidya. Imwe yakawira parukangarahwe, uye payakamera, yakasvava nokuti pakanga pasina unyoro. Imwe mbeu yakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura pamwe chete nayo ikavhunga. Asi imwe mbeu yakawira pavhu rakanaka. Yakamera ikabereka zvibereko, zvakapetwa kazana pane zvakanga zvadyarwa.” Akati ataura izvi, akadanidzira akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Vadzidzi vake vakamubvunza kuti mufananidzo uyu wairevei. Iye akati, “Kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari kwakapiwa kwamuri, asi kuna vamwe, ndinotaura nomufananidzo kuitira kuti, “ ‘kunyange vachitarira, varege kuona; kunyange vachinzwa, varege kunzwisisa.’ “Izvi ndizvo zvinoreva mufananidzo: Mbeu ndiro shoko raMwari. Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa. Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi. Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko. Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya vane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko. “Hakuna munhu anotungidza mwenje obva auvanza pasi pedengu kana kuuisa pasi pomubhedha. Asi, anouisa pamusoro pechigadziko, kuitira kuti vose vanopinda vavhenekerwe. Nokuti hakuna chakavanzika chisingazobudiswi pachena, uye hakuna chakavigwa chisingazozivikanwi kana kuiswa pachena. Naizvozvo nyatsofungisisai kuti munonzwa sei. Ani naani anazvo achapiwa zvakawanda, ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanofunga kuti anazvo.” Zvino mai vaJesu navanun'una vake vakauya kuzomuona, asi vakanga vasingagoni kuswedera pedyo naye nokuda kwavanhu vazhinji. Mumwe akati kwaari, “Mai venyu navanun'una venyu vamire kunze, vanoda kukuonai.” Asi akapindura akati, “Mai vangu navanun'una vangu ndivo avo vanonzwa shoko raMwari vachiriita.” Rimwe zuva Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei mhiri kwegungwa.” Naizvozvo vakapinda mugwa vakatanga kufamba. Pavakanga vachifamba, iye akavata. Dutu guru rakauya mugungwa, zvokuti igwa rakanga rava kunyura, uye vakanga vava munjodzi huru. Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi, tava kunyura!” Ipapo akamuka akarayira mhepo namafungu emvura zhinji, dutu rikaserera, uye kukadzikama kwazvo. Akabvunza vadzidzi vake akati, “Kutenda kwenyu kuripiko?” Mukutya kwavo uye nokushamiswa kwavo, vakabvunzana pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu? Anorayira kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.” Vakasvika kunyika yavaGerasa, iri mhiri kwegungwa reGarirea. Jesu akati ayambuka gungwa, akasangana nomunhu akanga akabatwa nedhimoni achibva muguta. Munhu uyu akanga asingapfeki nguo kwenguva refu kana kugara mumba, asi aigara kumakuva. Akati aona Jesu, akadanidzira uye akawira pamakumbo ake, akati nenzwi guru, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, regai kunditambudza!” Nokuti Jesu akanga arayira mweya wakaipa kuti ubude maari. Kazhinji waimubata, uye kunyange akange akasungwa nengetani mumaoko nomumakumbo uye akarindwa, aidambura ngetani uye oendeswa nedhimoni kurenje. Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Regioni” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari. Uye akaramba achimunyengetedza kuti arege kuarayira kuti aende kwakadzika. Pakanga pane boka guru renguruve raifura mujinga mechikomo. Madhimoni akakumbirisa Jesu kuti aabvumire kupinda madziri, akaatendera. Madhimoni akati abuda mumunhu uyo akandopinda munguruve, uye boka renguruve rakamhanyira kumawere kugungwa rikanyuramo. Vaifudza nguruve vakati vaona zvakanga zvaitika, vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomuruwa, uye vanhu vakabuda kunoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu vakawana munhu akanga abuda madhimoni maari, agere pamakumbo aJesu, apfeka uye ava munhu kwaye, vakatya. Vaya vakanga vazviona vakaudza vanhu kuti munhu akanga ane dhimoni ainge aporeswa sei. Ipapo vanhu vose vomunyika yeGerasa vakakumbira Jesu kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya. Saka akapinda mugwa akaenda. Munhu akanga abuda madhimoni maari akamukumbirisa kuti aende naye, asi Jesu akamuendesa, achiti, “Dzokera kumba kwako undotaura kuti Mwari akuitira zvinhu zvakadaro sei.” Saka munhu uyu akaenda akandotaura muguta rose zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Zvino Jesu akati adzoka, akagamuchirwa navanhu vazhinji, nokuti vakanga vakamutarisira. Ipapo murume ainzi Jairosi, mubati wesinagoge, akauya akawira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti auye kumba kwake nokuti mwanasikana wake akanga achingova mumwe oga, musikana aiva namakore anenge gumi namaviri, akanga afa. Jesu akati achiendako, vanhu vazhinji vakange vachamutsikirira. Uye paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri, asi kusina munhu aigona kumuporesa. Akauya neshure kwaJesu akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kweropa kukabva kwaguma. Jesu akati, “Ndianiko andibata?” Vakati varamba kuzvibvuma vose, Petro akati, “Tenzi, vanhu vari kukumomoterai nokukutsimbirirai.” Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata; ndinoziva nokuti simba rabuda mandiri.” Ipapo mukadzi, akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera uye akasvikowira patsoka dzake. Akamuudza kuti sei akanga amubata pamberi pavanhu vose, uye kuti akanga apora sei pakarepo. Ipapo iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare.” Jesu achiri kutaura, mumwe aibva kumba kwaJairosi, mubati wesinagoge, akasvika akati, “Mwanasikana wenyu afa. Chiregai henyu kuramba muchinetsa mudzidzisi.” Jesu akati anzwa izvi, akati kuna Jairosi, “Usatya; tenda chete, uye achaporeswa.” Akati asvika kumba kwaJairosi, haana kutendera ani zvake kuti apinde naye kunze kwaPetro, Johani naJakobho, uye baba namai vomwana. Panguva iyi, vanhu vose vainge vachiungudza uye vachimuchema. Jesu akati, “Nyararai kuchema. Haana kufa asi avete.” Vakamuseka, nokuti vaiziva kuti akanga afa. Asi akamubata noruoko akati, “Mwanangu, muka!” Mweya wake wakadzokera maari, pakarepo akasimuka. Ipapo Jesu akavarayira kuti vamupe zvokudya. Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti vasaudze munhu zvakanga zvaitika. Jesu akati aunganidza vadzidzi vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni nokuporesa zvirwere, akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari nokuporesa vairwara. Akavarayira akati, “Musatakura chinhu parwendo, mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari, kana imwe nguo. Muimba ipi neipi yamunopinda, mugaremo kusvikira mabva muguta imomo. Kana vanhu vasingakugamuchiriyi, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mabuda muguta ravo, chive chapupu pamusoro pavo.” Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose. Zvino Herodhi mubati akanzwa pamusoro pezvose zvakanga zvichiitika. Akakanganisika, nokuti vamwe vakanga vachiti Johani akanga amutswa kubva kuvakafa, vamwe vachiti Eria akanga aonekwa, uyezve vamwe vachiti mumwe wavaprofita vakare akanga amuka. Asi Herodhi akati, “Johani ndakamugura musoro. Zvino, ndianiko uyu wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake?” Akaedza kuti amuone. Vapostori vakati vadzoka, vakarondedzera kuna Jesu zvavakanga vaita. Ipapo akavatora vakabva muchivande vakaenda kuguta rainzi Bhetisaidha, asi vazhinji vakazviziva vakamutevera. Iye akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari, akaporesa avo vakanga vachida kuporeswa. Zuva rovira, vane Gumi Navaviri vakauya kwaari vakati, “Endesai vanhu vazhinji ava kuitira kuti vaende kumisha nokumaruwa akapoteredza kuti vandozvitsvakira zvokudya nepokurara, nokuti tiri musango muno.” Akavapindura akati, “Vapei imi zvokudya.” Ivo vakati, “Tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri, kunze kwokunge tandotenga zvokudya zvavanhu vazhinji vose ava.” Nokuti pakanga pane varume vangasvika zviuru zvishanu. Asi iye akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vari mumapoka avanhu vangasvika makumi mashanu paboka rimwe nerimwe.” Vadzidzi vakaita saizvozvo, uye munhu wose akagara pasi. Akati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga, akavonga ndokuzvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga matengu azere gumi namaviri ezvimedu zvakanga zvasara. Rimwe zuva Jesu akati achinyengetera ari oga uye vadzidzi vake vakanga vanaye, akavabvunza akati, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?” Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwe vachiti Eria, uye vamwezve vachiti, mumwe wavaprofita vakare akamuka kuvakafa.” Akati kwavari, “Asi, ko, imi munoti ndini ani?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu waMwari.” Jesu akavayambira zvikuru kuti varege kutaura izvi kuna ani zvake. Akatizve, “Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye anofanira kuurayiwa agomuka pazuva retatu.” Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuponesa. Ko, munhu achabatsirwei kana akawana nyika yose, asi agorasikirwa noupenyu hwake. Kana munhu akanyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana woMunhu achanyarawo pamusoro pake paanouya mukubwinya nomukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene. Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona umambo hwaMwari.” Mazuva angasvika masere akati apera, shure kwokunge Jesu ataura izvozvo, akatora Petro naJohani naJakobho pamwe chete naye akakwira mugomo kundonyengetera. Akati achinyengetera, kuonekwa kwechiso chake kwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya sokupenya kwemheni. Varume vaviri, vanoti, Mozisi naEria, vakaonekwa vari mukubwinya, vachitaura naJesu. Vakataura pamusoro pokuzoenda kwake, kwaakanga ondozadzisa paJerusarema. Petro navaaiva navo vakanga vava kubatwa nehope, asi vakati vanyatsomuka, vakaona kubwinya kwake uye varume vaviri vamire naye. Varume ava vakati vobva pana Jesu, Petro akati kwaari, “Tenzi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akanga asingazivi zvaaireva. Akati achiri kutaura izvi, gore rakasvika rikavafukidza, uye vakatya pavakapinda mugore. Inzwi rakabva mugore, rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei.” Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo. Fume mangwana, pavakaburuka mugomo, vazhinji zhinji vakasangana naye. Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu. Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.” Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.” Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake. Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari. Munhu wose paakanga achakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake, “Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.” Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo. Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani. Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake. Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.” Johani akati, “Tenzi, takaona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.” Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti ani naani asingapesani nemi ndowenyu.” Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema. Uye akatuma nhume pamberi pake, ivo vakapinda mumusha weSamaria kundofanomugadzirira zvinhu; asi vanhu voko havana kumugamuchira, nokuti akanga ava kuenda kuJerusarema. Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?” Asi Jesu akatendeuka akavatsiura, uye akabva akaenda kuno mumwe musha. Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe munhu akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.” Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.” Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.” Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.” Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.” Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.” Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa. Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira. “Pamunopinda mumba, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’ Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri. Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba. “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu. Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’ Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti, ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’ Ndinokuudzai kuti pazuva iro, Sodhomu richarerukirwa kwazvo kupfuura guta iroro. “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakanga zvaitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare, vakagara mumadota vakafuka masaga. Asi Tire neSidhoni zvicharerukirwa pakutongwa kupfuura imi. Uye iwe, Kaperinaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, uchaburuka kwakadzika. “Anokunzwai imi, anondinzwa ini; uyo anokurambai imi, anondirambawo ini; asi uyo anondiramba, anoramba iye akandituma.” Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro vakati, “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.” Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kubva kudenga semheni. Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai. Kunyange zvakadaro hazvo, musafara nokuti mweya yakaipa inozviisa pasi penyu, asi farai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.” Panguva iyoyo Jesu azere nomufaro kubudikidza noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makavanzira vakachenjera navakadzidza zvinhu izvi, mukazvizarurira kuvacheche. Hongu, Baba nokuti zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana, uye naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.” Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake vari voga akati, “Akaropafadzwa meso anoona zvamuoona, nokuti ndinokuudzai kuti vaprofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona asi havana kuzviona, uye nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa.” Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” Iye akapindura akati, “Pamurayiro pakanyorweiko? Unouverenga seiko?” Akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ ” Jesu akapindura akati, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.” Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akati, “Muvakidzani wangu ndianiko?” Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa. Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona munhu uyo, akamunyenyeredza. Saizvozvowo, muRevhi, akati asvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo. Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano munhu; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi. Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta. Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’ “Ndianiko pavanhu vatatu ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?” Mududziri womurayiro akati, “Uyo akamunzwira tsitsi.” Jesu akati kwaari, “Enda undoita saizvozvo.” Jesu navadzidzi vake pavakanga vachifamba, vakasvika pano mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make. Akanga ano munun'una wake ainzi Maria, uyo akagara patsoka dzaShe achiteerera kune zvaakanga achitaura. Asi Marita akatadziswa kuteerera nokuda kwokugadzirira kwose kwaifanira kuitwa. Akauya kwaari akati, “Ishe hamuna hanya here kuti munun'una wangu andisiya ndichingoshanda ndoga? Muudzei kuti andibatsirewo!” Ishe akapindura akati, “Marita, Marita, uri kufunganya nokugumburwa pamusoro pezvinhu zvizhinji, asi pane chinhu chimwe chete chinodikanwa. Maria asarudza chinhu chiri nani, uye haazochitorerwi.” Mumwe musi Jesu akanga achinyengetera ari pane imwe nzvimbo. Akati apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, saJohani akadzidzisa vadzidzi vake.” Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva. Uye mutiregerere zvivi zvedu; nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira. Tibatsirei kuti tisapinda mukuedzwa; uye mutinunure pane zvakaipa.’ ” Ipapo akati kwavari, “Kana mumwe wenyu ane shamwari, uye akaenda kwaari pakati pousiku akati, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu, nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwangu, uye ini handina chandingamupa.’ “Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’ Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushinga kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda. “Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai uye muchapiwa, tsvakai uye muchawana; gogodzai uye muchazarurirwa mukova. Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova. “Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove? Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here? Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!” Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo. Asi vamwe vavo vakati, “Anodzinga dhimoni naBheerizebhubhi, muchinda mukuru wamadhimoni.” Vamwewo vakamuedza nokumukumbira chiratidzo. Jesu akaziva ndangariro dzavo uye akati kwavari, “Umambo hupi zvahwo hunozvipesanisa huchaparadzwa, uye imba inozvipesanisa ichawa. Kana Satani achizvipesanisa, umambo hwake hungamira seiko? Ndinotaura izvi nokuti munonditi ndinobudisa madhimoni naBheerizebhubhi. Zvino kana ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? Saka zvino, ivo vachava vatongi venyu. Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari, ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri. “Kana munhu ane simba, akanyatsoshonga nhumbi dzake dzokurwa, akachengeta imba yake, pfuma yake inochengetedzeka. Asi kana mumwe ane simba akamurwisa uye akamukunda, anomutorera nhumbi dzokurwa dzaanga achivimba nadzo agogova zvaanenge apamba. “Ani naani asiri kudivi rangu anorwa neni, uye asingaunganidzi pamwe chete neni, anoparadzira. “Kana mweya wakaipa ukabuda mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo ugorishayiwa. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Paunosvika, unowana imba yakatsvairwa, yanaka uye igere zvakanaka. Ipapo unobuda wondotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kupfuura iwo, igopinda yondogaramo. Uye magumo omunhu uyo akaipa kupfuura okutanga.” Jesu akati achiri kutaura zvinhu izvi, mumwe mukadzi aiva pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Vakarapofadzwa mai vakakuzvarai vakakuyamwisai.” Akapindura akati, “Asi vakaropafadzwa avo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera.” Vanhu vakati vachiwanda, Jesu akati kwavari, “Rudzi urwu rwakaipa. Runokumbira chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo kunze kwechaJona. Nokuti sezvo Jona akanga ari chiratidzo kuvaNinevhe, saizvowo ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kurudzi urwu. Mambokadzi wezasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu agovapa mhosva; nokuti akabva kumagumo enyika kuzonzwa huchenjeri hwaSoromoni, zvino mukuru kuna Soromoni ari pano. Varume veNinevhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu vagorupa mhosva; nokuti ivo vakatendeuka pakuparidza kwaJona, zvino mukuru kuna Jona ari pano. “Hakuna munhu anotungidza mwenje agouisa panzvimbo yakavanda, kana pasi pedengu. Asi anouisa pachigadziko, kuitira kuti vose vanopinda mumba vaone chiedza. Ziso rako ndiwo mwenje womuviri wako. Kana meso ako akanaka, muviri wako wosewo uzere nechiedza. Asi kana akaipa, muviri wakowo uzere nerima. Chenjererai kuti chiedza chiri mamuri chirege kuva rima. Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, uye pasina chikamu chawo chine rima, uchavhenekerwa zvakakwana, sezvinoita chiedza chomwenje pachinovhenekera pauri.” Jesu akati apedza kutaura, mumwe muFarisi akamukoka kuti azodya naye; saka akaenda, akapinda akagara naye pakudya. Asi muFarisi akaona kuti Jesu akanga asina kutanga ageza asati adya, zvikamushamisa. Ipapo Ishe akati kwaari, “Zvino, imi vaFarisi munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa. Imi mapenzi avanhu! Ko, akaita kunze haaziye akaitawo nomukati here? Asi ipai zviri mukati sezvipo kuvarombo, ipapo zvose zvichava zvakanaka kwamuri. “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munopa kuna Mwari chegumi chemindi, nerui nezvimwe zvirimwa zvomubindu romuriwo, asi muchirega kururamisira, norudo rwaMwari. Maifanira kuzviita izvi musingasiyi zvokutanga zvisati zvaitwa. “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamusoro mumasinagoge nokukwaziswa pamisika.” “Mune nhamo imi, nokuti makaita samakuva asina mucherechedzo, vanhu vanofamba napamusoro pawo vasingazvizivi.” Mumwe wavadudziri vomurayiro akamupindura akati, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvi, munotuka nesuwo.” Jesu akapindura akati, “Mune nhamo nemiwo vadudziri vomurayiro, nokuti munoremedza vanhu nemitoro yavasingagoni kutakura, asi imi pachenyu hamutongosimudzi munwe wenyu kuti muvabatsire. “Mune nhamo imi, nokuti munovaka marinda avaprofita, uye madzitateguru enyu ariwo akavauraya. Saka muri kupupura kuti munotenderana nezvakaitwa namadzitateguru enyu; vakauraya vaprofita uye imi mukavaka marinda avo. Nokuda kwaizvozvo, Mwari muuchenjeri hwake akati, ‘Ndichatumira vaprofita navapostori, vamwe vavo vachavauraya uye vachatambudza vamwe.’ Naizvozvo rudzi urwu ruchava nemhosva yeropa ravaprofita vose, rakadeurwa kubva pakuvamba kwenyika, kubva paropa raAbheri kusvikira kuropa raZekaria, uyo akaurayiwa pakati pearitari neimba tsvene. Hongu, ndinoti kwamuri, rudzi urwu ruchava nemhosva yezvinhu izvi zvose. “Mune nhamo imi, vadudziri vomurayiro, nokuti makabvisa kiyi yokuziva. Imi pachenyu hamuna kupinda, uye makadzivisa vaya vakanga vachipinda.” Jesu akati abva ipapo, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kumupikisa zvikuru nokumubvunza mibvunzo yakawanda, vachimirira kuti vamubate pane zvaaizotaura. Zvichakadaro, zviuru nezviuru zvakati zvaungana, zvokuti vakanga vava kutsikirirana, Jesu akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisi, kunyengera. Hakuna chinhu chakavanzika chisingazobudiswi pachena, kana chakavigwa chisingazozivikanwi. Zvamakataura murima zvichanzwika masikati machena, uye zvamakazevezera munzeve mudzimba dzomukati zvichadanidzirwa pamusoro pamatenga edzimba. “Ndinokuudzai, shamwari dzangu, musatya vaya vanouraya muviri mushure mezvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye. Ko, shiri shanu duku hadzitengeswi namasendi maviri here? Asi hakuna imwe yadzo inokanganwiwa naMwari. Zvirokwazvo, bvudzi chairo romumusoro menyu rakaverengwa. Musatya, imi munopfuura shiri duku zhinji. “Ndinokuudzai kuti, ani naani anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana woMunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. Uye mumwe nomumwe anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu, acharegererwa, asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazombokanganwirwi. “Mukange mamiswa pamberi pesinagoge, vatongi navane simba, musafunganya pamusoro pokuti muchapindura sei kana kuti muchazvidzivirira sei, nokuti panguva iyoyo Mweya Mutsvene achakudzidzisai zvamunofanira kutaura.” Mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Jesu akapindura akati, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?” Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.” Uye akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ivhu romumwe mupfumi rakabereka zvibereko zvakanaka. Akafunga mumwoyo make akati, ‘Ndichaita seiko? Handina nzvimbo yokuchengetera zviyo zvangu.’ “Ipapo akati, ‘Hezvino zvandichaita. Ndichaputsa matura angu ndigovaka makuru, uye imomo ndimo mandichaunganidza zviyo zvangu nezvinhu zvangu. Uye ndichati kumweya wangu, “Iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka zvawakaunganidzirwa makore mazhinji. Zorora, udye, unwe uye ufare.”’ “Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira?’ “Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei. Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka. Fungai makunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei! Ndianiko kwamuri angawedzera awa imwe chete kuupenyu hwake nokufunganya? Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe? “Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya. Kana ariwo mashongedzero anoita Mwari uswa hwesango, huripo nhasi, uye mangwana huchikandwa mumoto, achakupfekedzai zvikuru sei, imi vokutenda kuduku! Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo. Nokuti vahedheni vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo. Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwa kwamuri. “Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo. Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza. Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo. “Zvishongedzei mugadzirire kushanda uye mwenje yenyu igare ichipfuta, savanhu vakarindira kudzoka kwatenzi wavo kubva kumuchato, kuitira kuti paanouya akagogodza, vagone kukurumidza kumuzarurira mukova. Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakarindira paanodzoka. Ndinokuudzai chokwadi kuti achazvishongedza iye pachake kuti ashande, achaita kuti vagare patafura agouya avashandire. Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakagadzirira, kunyange dai akauya nenguva yokurindira yechipiri kana yechitatu yousiku. Asi nzwisisai izvi: kuti dai mwene weimba aiziva nguva inosvika mbavha, haaizotendera kuti imba yake ipazwe. Nemiwo munofanira kugara makazvigadzirira, nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.” Petro akati, “Ishe, munotaura mufananidzo uyu kwatiri here kana kuna vose?” Ishe akapindura akati, “Ndoupiko mutariri akachenjera, uye akatendeka, anoiswa natenzi wake kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira? Zvichava zvakanaka kumuranda uyo achawanikwa natenzi wake achiita izvozvo paanodzoka. Ndinokuudzai chokwadi, kuti, achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose. Asi ngatimbotii muranda oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu anonoka kuuya,’ ipapo obva atanga kurova varandarume navarandakadzi, agotanga kudya nokunwa uye agodhakwa. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye nenguva yaasingazivi. Achamubvamburabvambura, agomuisa panzvimbo yavasingatendi. “Muranda uyo anoziva kuda kwatenzi wake uye asingagadziriri kana kuita zvinodiwa natenzi wake acharohwa shamhu zhinji. Asi munhu akanga asingazivi uye akaita zvinhu zvakafanira kurohwa, acharohwa shamhu shoma. Ani naani akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; uye kuno uya akapiwa zvizhinji, zvizhinji kwazvo zvicharehwawo kubva kwaari. “Ndakauya kuzobatidza moto panyika, uye ndinoshuva sei kuti dai wakabatidzwa kare! Asi ndino rubhabhatidzo rwandichapinda marwuri, uye ndinoshungurudzwa sei kusvikira ruchiitika! Munofunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri kwete, asi kuzopesanisa. Kubva zvino vanhu vashanu mumhuri imwe vachapesana, vatatu vachirwa navaviri uye vaviri vachirwa navatatu. Vachaparadzana, baba vachirwa nomwanakomana uye mwanakomana achipesana nababa, mai vachipesana nomuroora, muroora achipesana navamwene.” Akati kuvanhu vazhinji, “Pamunoona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, ‘Kuchanaya,’ zvigoita saizvozvo. Uye kana mhepo yezasi ichivhuvhuta, imi munoti, ‘Kuchapisa,’ zvoita saizvozvo. Vanyengeri! Munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvedenga. Munotadza sei kududzira nguva ino? “Munoregereiko kuzvitongera zvakarurama? Paunoenda nomudzivisi wako kumutongi wedzimhosva, edza zvakanyanya kuti muyanane muchiri munzira, kuti arege kukukwekweredzera kumutongi, uye mutongi agokuisa kumupurisa, mupurisa agokuisa mujeri. Ndinoti kwauri, haungabudimo usati waripa sendi rokupedzisira.” Zvino panguva iyoyo vamwe vaivapo vakaudza Jesu nezvavaGarirea vakanga vavhenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato. Jesu akapindura akati, “Munofunga kuti vaGarirea ava vakanga vari vatadzi zvakanyanya kupfuura vose here zvavakatambudzika nenzira iyi? Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mucharaswa mose. Kana vaya gumi navasere vakafa pavakawirwa neshongwe yeSiroami, munofunga kuti vakanga vane mhosva kukunda vamwe vose vaigara muJerusarema here? Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mose muchaparara.” Ipapo akavaudza mufananidzo uyu akati, “Mumwe murume akanga ane muti wake womuonde wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa, akaenda achindotsvaka muchero kwauri, asi haana chaakawana pauri. Saka akati kumurume akanga achichengeta munda wemizambiringa, ‘Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’ “Akapindura akati, ‘Ishe, chimbouregai henyu kwerimwezve gore, ini ndigoutimbira nokuuyisa mupfudze. Kana ukazobereka muchero gore rinouya, zvakanaka! Kana usina, ipapo mungautema henyu.’ ” Jesu akanga achidzidzisa ari mune rimwe sinagoge nomusi weSabata, uye ipapo pakanga pano mukadzi aiva akaremadzwa nomweya wakaipa kwamakore gumi namasere. Musana wake wakanga wakakokonyara uye akanga asingagoni zvachose kutwasuka. Jesu akati amuona, akamudana kuti auye mberi akati kwaari, “Mai, masununungurwa pachirwere chenyu.” Ipapo akaisa maoko ake pamusoro wake, pakarepo musana wake ukatwasanuka akarumbidza Mwari. Mukuru wesinagoge akatsamwa nokuti Jesu akanga aporesa mukadzi uyu nomusi weSabata, akati kuvanhu, “Pane mazuva matanhatu okushanda. Saka munofanira kuuya kuzoporeswa pamazuva iwayo, kwete nomusi weSabata.” Ishe akamupindura achiti, “Imi vanyengeri! Ko, handiti mumwe nomumwe wenyu anosunungura nzombe kana mbongoro yake kubva mudanga, uye achienda nazvo kundonwa mvura nomusi weSabata here? Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahama, akanga akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haaifanira kusunungurwa kubva pane zvakamusunga nomusi weSabata here?” Akati ataura izvozvo, vose vakanga vachipikisana naye vakanyadziswa, asi vanhu vakafadzwa nezvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita. Ipapo Jesu akavabvunza achiti, “Umambo hwaMwari hwakaita seiko? Ndingahuenzanisa neiko? Hwakaita setsanga yemasitadhi, yakatorwa nomunhu akandoisima mubindu rake. Yakakura ikava muti mukuru, uye shiri dzedenga dzakauya dzikamhara mumatavi awo.” Akabvunzazve akati, “Umambo hwaMwari ndingahufananidza neiko? Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaivhenganisa noupfu hwefurau hwakawanda kusvikira yafutisa ganyiwa.” Ipapo Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa paakanga achienda kuJerusarema. Mumwe akamubvunza akati, “Ishe, vanhu vashoma chete ndivo vachaponeswa here?” Iye akati kwavari, “Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni. Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’ “Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’ “Ipapo muchati, ‘Taidya uye tainwa pamwe chete nemi, uye maidzidzisa munzira dzomumisha yedu.’ “Asi iye achati, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vaiti vezvakaipa!’ “Ipapo pachava nokuchema, nokurumanya kwameno, pamunoona Abhurahama, Isaka naJakobho navaprofita vose vari muumambo hwaMwari, asi imi pachenyu marasirwa kunze. Vanhu vachabva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi, uye vachagara pazvigaro zvavo pamabiko muumambo hwaMwari. Zvirokwazvo, varipo vaya vokupedzisira vachazova vokutanga, uye vokutanga vachazova vokupedzisira.” Panguva iyoyo vamwe vaFarisi vakauya kuna Jesu vakati kwaari, “Ibvai pano muende kumwewo. Herodhi anoda kukuurayai.” Akapindura akati, “Endai munoudza gava iro kuti, ‘Ndichadzinga madhimoni nokuporesa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva retatu ndichapedzisa basa rangu.’ Zvisinei hazvo, ndinofanira kuramba ndichishanda mangwana nezuva rinotevera, nokuti zvirokwazvo hakuna muprofita angafira kunze kweJerusarema! “Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako pamwe chete, sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba! Tarira, imba yako yasiyiwa yava dongo. Ndinoti kwauri, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa iye anouya muzita raShe.’ ” Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo. Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe. Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?” Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende. Ipapo akavabvunza akati, “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana, kana mombe yake ikawira mutsime nomusi weSabata, angarega kuibudisa pakarepo?” Ipapo vakashayiwa chokureva. Akati achiona kuti vakakokwa vaisarudza sei zvigaro zvapamberi patafura, akavaudza mufananidzo uyu akati kwavari, “Kana mumwe akakukoka kumuchato, usazvisarudzira nzvimbo yapamberi, nokuti mumwe munhu anokudzwa kupfuura iwe angadaro akakokwa. Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira. Asi kana wakokwa, utore chigaro cheshure, kuitira kuti kana akukoka ouya, azoti kwauri, ‘Shamwari, simuka uende kundogara panzvimbo iri nani.’ Ipapo ucharemekedzwa pamberi pavose vawakakokwa pamwe chete navo. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.” Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanun'una vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa. Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu, ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.” Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.” Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru uye akakoka vanhu vazhinji. Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’ “Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’ “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbonodziedza. Ndapota ndiregererei.’ “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’ “Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta undouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina. “Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’ “Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare. Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’ ” Vazhinji zhinji vakanga vachifamba naJesu, uye iye akatendeukira kwavari akati, “Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanun'una vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu. Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu. “Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here? Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka, achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’ “Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri? Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari. Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu. “Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze. “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Zvino vateresi na“vatadzi” vakanga vakaungana vose, vakamukomberedza kuti vamunzwe. Asi vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakagunun'una vachiti, “Uyu munhu anogamuchira vatadzi uye anodya navo.” Ipapo Jesu akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ndianiko pakati penyu kana ane makwai zana, rimwe racho kana rikarasika, asingasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe kumafuro achindotsvaka gwai rakarasika kusvikira ariwana? Uye kana ariwana, anoritakura pamapfudzi ake nomufaro agoenda kumba. Ipapo anodana shamwari dzake navavakidzani pamwe chete agoti kwavari, ‘Farai pamwe chete neni nokuti ndawana gwai rangu rakanga rarasika.’ Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro mukuru uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe chete anenge atendeuka, kupfuura pamusoro pavakarurama makumi mapfumbamwe navapfumbamwe vasingatsvaki kutendeuka. “Ndoupiko mukadzi ane mari yamasirivha anokwana gumi uye akarasikirwa neimwe chete angarega kubatidza mwenje, agotsvaira imba uye agotsvakisisa kusvikira aiwana here? Uye paanenge aiwana, achadana shamwari dzake navavakidzani agoti kwavari, ‘Farai pamwe chete neni, ndawana mari yangu yakanga yarasika.’ Saizvozvo, ndinoti kwamuri, pano mufaro pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe chete anotendeuka.” Jesu akaenderera mberi akati: “Pakanga pano mumwe murume akanga ane vanakomana vake vaviri. Muduku wacho akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei mugove wenhaka yangu.’ Saka baba vakakamura pfuma yavo vakavagovanisa pakati pavo. “Mazuva mashoma asati apera, mwanakomana muduku akaunganidza zvose zvaakanga anazvo, akasimuka akaenda kunyika iri kure akandoparadza pfuma yake ikoko namararamiro akaipa. Shure kwokunge apedza zvose, kwakava nenzara huru munyika yose iyoyo, uye akatanga kushayiwa. Saka akaenda akandozvitsvakira basa kuno mumwe mugari womunyika imomo, iye akamutumira kuminda yake kuti andofudza nguruve. Akada kugutsa dumbu rake namateko aidyiwa nenguruve, asi hapana munhu akamupa kana chinhu. “Akati apengenuka mupfungwa dzake, akati, ‘Varanda vababa vangu vazhinji seiko uye vane zvokudya zvavanongosiya, uye zvino ini pano ndoziya zvokusvika pakufa! Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu ndinoti kwavari: Baba, ndakatadzira denga napamberi penyuwo. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu.’ “Saka akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda. “Mwanakomana akati kuna baba vake, ‘Baba, ndakatadzira denga napamberi penyu. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’ “Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai! Uyai nenguo dzakaisvonaka mumupfekedze. Muise mhete pamunwe wake neshangu mutsoka dzake. Muuye nemhuru yakakodzwa muibaye. Ngatidyei tipembere. Nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, zvino araramazve; akanga arasika, zvino awanikwa.’ Saka vakatanga kupembera. “Zvichakadaro, mwanakomana mukuru akanga ari kumunda akati aswedera pedyo nemba, akanzwa nziyo nokutamba. Saka akadana mumwe wavaranda akamubvunza kuti chii chakanga chichiitika. Muranda akapindura akati, ‘Munun'una wenyu auya uye baba venyu vamubayira mhuru yakakodzwa nokuti adzoka ari mupenyu uye akasimba.’ “Mukoma mukuru akatsamwa akaramba kupinda. Saka baba vake vakabuda vakamunyengetedza. Asi akapindura baba vake akati, ‘Tarirai! Makore ose aya ndanga ndichikushandirai uye handina kusamboteerera mirayiro yenyu. Asi hamuna kutongondipa chimbudzana kuti ndipemberewo neshamwari dzangu. Asi pangouya mwanakomana wenyu uyu, akaparadza pfuma yenyu nezvifeve, mamubayira mhuru yakakodzwa!’ “Baba vakati, ‘Mwanangu, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvandinazvo ndezvako. Asi taifanira kupembera uye tifare, nokuti munun'una wako uyu akanga afa asi zvino araramazve; akanga arasika asi awanikwa.’ ” Jesu akatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mumwe murume mupfumi aiva nomutariri akanga achipomerwa mhosva yokuparadza pfuma yake. Saka iye akamudana uye akamubvunza achiti, ‘Zviiko izvi zvandiri kunzwa pamusoro pako? Zvidavirire pamusoro poutariri hwako, nokuti haungarambi uri mutariri.’ “Mutariri akafunga nechomumwoyo make akati, ‘Zvino ndichaiteiko? Tenzi wangu ava kunditorera basa rangu. Handina simba rokurima, uye ndinonyara kupemha; ndinoziva zvandichaita kuitira kuti, ndikange ndarasikirwa nebasa rangu pano, vanhu vagondigamuchira mudzimba dzavo.’ “Saka akadana mumwe nomumwe akanga ane chikwereti natenzi wake. Akabvunza wokutanga akati, ‘Une chikwereti chakaita sei iwe kuna tenzi wangu?’ “Akapindura achiti, ‘Zviero zana zvamafuta omuorivhi.’ “Mutariri akati kwaari, ‘Tora tsamba yako, ugare pasi nokukurumidza, unyore makumi mashanu.’ “Ipapo akabvunza wechipiri akati, ‘Iwe une chikwereti chakadiniko?’ “Akapindura akati, ‘Zviero zana zvegorosi.’ Akamuudza kuti, ‘Tora tsamba yako unyore makumi masere.’ “Tenzi womuranda uyu akarumbidza mutariri asakarurama uyu nokuti akanga aita nokuchenjera. Nokuti vanhu venyika ino vakachenjera kwazvo pakuita kwavo kukunda vana vechiedza. Ndinoti kwamuri, ‘Shandisai pfuma yenyika kuti muzviwanire shamwari, kuitira kuti painopera, mugozogamuchirwa mudzimba dzisingaperi.’ “Ani naani anogona kutendeka pane zvinhu zviduku anogonawo kutendeka pane zvakawanda, uye ani naani asina kutendeka pazvinhu zviduku duku achavawo asina kutendeka pane zvakawanda. Saka kana manga musina kutendeka paupfumi hwenyika, ndianiko achavimba nemi paupfumi hwechokwadi? Uye kana wanga usina kutendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko achakupa zvinhu zvako iwe? “Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.” VaFarisi, avo vaida mari vakanzwa zvose izvi vakatuka Jesu uye vakamuseka. Iye akati kwavari, “Imi munozviruramisira pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu. Zvinhu zvinokudzwa pakati pavanhu zvinonyangadza pamberi paMwari. “Murayiro navaprofita zvakaparidzwa kusvikira pana Johani. Kubvira panguva iyoyo, vhangeri roumambo hwaMwari riri kuparidzwa, uye mumwe nomumwe anozvimanikidzira kupinda mahuri. Zviri nyore kuti denga nenyika zvipfuure pano kuti kavara kaduku komurayiro kabviswe. “Ani naani anoramba mukadzi wake akawana mumwe mukadzi anoita upombwe, uye murume anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe. “Paiva nomumwe murume mupfumi aipfeka nguo dzepepuru nomucheka wakaisvonaka uye aigara upenyu hwakaisvonaka mazuva ose. Pasuo rake paigara mupemhi ainzi Razaro, akanga azere namaronda uye achipanga hake kudya zvimedu zvaiwa patafura yomupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake. “Nguva yokufa kwomupemhi yakati yasvika vatumwa vakamutora vakamuendesa pachipfuva chaAbhurahama. Mupfumi akafawo akavigwa. Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. Saka akadanidzira kwaari achiti, ‘Baba Abhurahama, ndinzwirei ngoni mugotuma Razaro kuti anyike muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndiri kurwadziwa kwazvo mumoto muno.’ “Asi Abhurahama akapindura akati, ‘Mwanakomana, rangarira kuti pamazuva oupenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvako zvakanaka, panguva iyoyo Razaro akagamuchira zvinhu zvakaipa, asi zvino ari kunyaradzwa pano, uye iwe uri kurwadziwa. Uye pamusoro paizvozvo zvose, pano mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu newe, kuitira kuti vanoda kubva kuno kuti vauye ikoko vakonewe, uye hakuna munhu angayambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’ “Iye akapindura achiti, ‘Zvino ndinokukumbirai, baba, tumai Razaro kumba kwababa vangu, nokuti ndina vanun'una vashanu. Ngaaende anovayambira, kuitira kuti naivowo varege kuuya kunzvimbo ino yokurwadziwa.’ “Abhurahama akati, ‘Mozisi navaprofita vanavo; ngavavanzwe.’ “Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahama, asi kana mumwe akabva kuna vakafa akaenda kwavari, vangatendeuka.’ “Iye akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mozisi navaprofita, havangatendi kunyange dai mumwe akamuka kubva kuvakafa.’ ” Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze zvinototi zviuye, asi ane nhamo munhu uyo anouya nazvo. Zvaiva nani kwaari kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake agokandwa mugungwa pano kuti atadzise mumwe wavaduku ava. Saka zvingwarirei. “Kana hama yako ichitadza, itsiure, uye kana akatendeuka, umuregerere. Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.” Vapostori vakati kuna She, “Tiwedzereiwo kutenda kwedu!” Iye akati, “Kana muno kutenda kuduku duku setsanga yemasitadhi, munogona kuti kumuti womuonde uyu, ‘Dzurwa usimwe mugungwa,’ uye uchakuteererai. “Ngatitii mumwe wenyu anga aine muranda anorima kana kuti anofudza makwai. Angati here kumuranda paanopinda achibva kumunda, ‘Uya pano iye zvino ugare pasi udye’? Ko, haangati here, ‘Ndigadzirire chokudya changu, uzvigadzirire iwe ugondimirira pandinenge ndichidya nokunwa; shure kwaizvozvo iwe ungazodya hako nokunwa’? Ko, angavonga muranda nokuda kwokuti akaita zvaakaudzwa here? Saka nemiwo, pamunenge maita zvose zvamakaudzwa kuti muite, munofanira kuti, ‘Tiri varanda vasina maturo; tangoita zvatanga tichifanira kuita.’ ” Zvino ari munzira achienda kuJerusarema, Jesu akafamba achitevedza muganhu waiva pakati peSamaria neGarirea. Paakanga opinda mumusha, varume gumi vaiva namaperembudzi vakasangana naye. Vakamira vari nechokure uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwireiwo ngoni!” Akati achivaona, akati kwavari, “Endai munozviratidza kuvaprista.” Uye pavaienda, vakabva vanatswa. Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria. Jesu akati, “Ko, havazi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi? Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?” Ipapo akati kwaari, “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.” Akati abvunzwa navaFarisi kuti umambo hwaMwari hwaizosvika riini, Jesu akapindura akati, “Umambo hwaMwari hahuuyi nokunyatsocherechedza kwenyu, uye vanhu havangati, ‘Hohuno pano’ kana kuti ‘Uho uko,’ nokuti umambo hwaMwari huri mamuri.” Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Nguva iri kuuya yamuchashuva kuona rimwe ramazuva oMwanakomana woMunhu, asi hamuzorioni. Vanhu vachati kwamuri, ‘Hoyo uko!’ kana kuti ‘Houno pano!’ Musamhanya muchivatevera. Nokuti semheni inopenya ichivhenekera muchadenga ichibva kuno rumwe rutivi ichienda kuno rumwe rutivi, ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu pazuva rake. Asi anofanira kutanga kumbotambudzika zvikuru uye acharambwa norudzi urwu. “Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo mumazuva oMwanakomana woMunhu. Vanhu vaidya, vachinwa, vachiwana nokuwaniswa kusvikira zuva rakapinda Noa muareka. Ipapo mafashamu akasvika akavaparadza vose. “Zvakanga zvakadarowo pamazuva aRoti. Vanhu vakanga vachidya nokunwa, vachitonga nokutongesa, vachidyara nokuvaka. Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesuriferi zvakanaya, zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. “Zvichaita saizvozvo pazuva iro Mwanakomana woMunhu acharatidzwa. Pazuva iro hakuna munhu ari pamusoro pedenga remba, ane nhumbi dzake mukati memba, anofanira kuburuka kuti andodzitora. Saizvozvowo, hakuna munhu ari kumunda achadzokera chinhu chero chipi zvacho. Rangarirai mukadzi waRoti! Ani naani anoedza kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa noupenyu hwake achahuponesa. Ndinoti kwamuri, pazuva iro vanhu vaviri vachange vari pamubhedha mumwe; mumwe achatorwa mumwe achisiyiwa. Vakadzi vaviri vachange vachikuya zviyo pamwe chete; mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. Varume vachange vari mumunda. Mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.” Vakamubvunza vakati, “Kupiko Ishe?” Akapindura akati, “Pano mutumbi, ndipo panoungana magora.” Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo. Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu. Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, ‘Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.’ “Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu, asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’ ” Zvino Ishe akati, “Inzwai zvinotaurwa nomutongi asakarurama. Ko, zvino Mwari haangaruramisiri vasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku here? Acharamba achivadzosa here? Ndinoti kwamuri, achaona kuti varuramisirwa, uye nokukurumidza. Kunyange zvakadaro hazvo, kana Mwanakomana woMunhu achisvika, achawana kutenda panyika here?” Jesu akataura mufananidzo uyu, kuna vamwe vakanga vachivimba nokururama kwavo uye vaizvidza vamwe akati, “Varume vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe akanga ari muFarisi uye mumwe ari muteresi. MuFarisi akasimuka akazvinyengeterera achiti, ‘Mwari, ndinokuvongai nokuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi uyu. Ndinozvinyima zvokudya kaviri pavhiki uye ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ “Asi muteresi akamira ari nechokure, asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akazvirova chipfuva akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.’ “Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.” Vanhu vakauyawo navacheche kuna Jesu kuti avanyengeterere. Vadzidzi vakati vachiona izvozvo, vakavatsiura. Asi Jesu akadanira vana kwaari achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.” Mumwe mutongi akamubvunza achiti, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuitei kuti ndigogara nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akapindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna akanaka kunze kwaMwari oga. Iwe unoziva mirayiro inoti: ‘Usaita upombwe, usauraya, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ” Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.” Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.” Akati anzwa izvozvo, akasuwa zvikuru, nokuti akanga ari murume akapfuma zvikuru. Jesu akatarisa kwaari akati, “Zvikukutu sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari! Zvirokwazvo, zviri nyore kwazvo kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vaya vakazvinzwa izvozvo vakabvunza vachiti, “Ndianiko zvino angaponeswa?” Jesu akapindura achiti, “Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari.” Petro akati kwaari, “Takasiya zvose zvataiva nazvo kuti tikuteverei!” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya musha, kana mukadzi, kana munun'una, kana vabereki, kana vana nokuda kwoumambo hwaMwari, asingazogamuchiri zvakapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi munguva inouya.” Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa. Achaiswa mumaoko avahedheni. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya. Pazuva rechitatu achamukazve.” Vadzidzi hapana chavakanzwisisa pachinhu ichi. Zvairehwa zvacho zvakanga zvakavanzika kwavari, uye havana kuziva zvaakanga achitaura pamusoro pazvo. Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha. Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika. Vakamuudza kuti, “Jesu weNazareta ari kupfuura napano.” Iye akadanidzira akati, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari. Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo. Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo. Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji. Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo. Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kundogara mumba mako nhasi.” Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro. Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugunun'una vachiti, “Aenda kundova mueni wo‘mutadzi.’ ” Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.” Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama. Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.” Pavakanga vachiri kuteerera izvozvo, akaenderera mberi achivaudza mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vanhu vakafunga kuti umambo hwaMwari hwaizokurumidza kuonekwa pakarepo. Akati, “Mumwe murume weimba huru, akaenda kunyika iri kure kuti andogadzwa kuti ave mambo uye agodzoka. Saka akadana varanda vake gumi akavapa zviuru gumi zvamadhora. Akati, ‘Shandisai mari iyi kusvikira ndadzoka.’ “Asi varanda vake vaimuvenga vakatuma nhume dzikamutevera kuti dzindoti, ‘Munhu uyu hatidi kuti ave mambo wedu.’ “Akandogadzwa kuti ave mambo, kunyange zvakadaro, akadzoka kumusha. Ipapo akatuma shoko kuvaranda vaakanga apa mari, achida kuziva zvavakanga vawana nayo. “Wokutanga akasvika akati, ‘Ishe chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru gumi.’ “Tenzi wake akati, ‘Zvakanaka, muranda wangu akanaka! Nokuti wanga wakatendeka pazvinhu zviduku duku, uchatonga pamusoro pamaguta gumi.’ “Wechipiri akasvika akati, ‘Ishe, chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru zvishanu.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe uchatonga pamusoro pamaguta mashanu.’ “Ipapo mumwe muranda akasvika akati, ‘Ishe, hechino chiuru chenyu chamadhora; ndakachichengeta ndakachisungirira mumucheka. Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ano mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara? Seiko zvino usina kuisa mari yangu mubhangi, kuitira kuti pakudzoka kwangu ndizoitora yawanda?’ “Ipapo akati kuna avo vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei chiuru chake chamadhora muchipe kuno uyo ane zviuru gumi.’ “Vakati, ‘Ishe anotova nezviuru gumi zvamadhora nechakare!’ “Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho. Asi vaya vavengi vangu vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, uyai navo pano muvauraye pamberi pangu.’ ” Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwira kuJerusarema. Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti, “Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano. Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’ ” Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo. Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?” Ivo vakamupindura vakati, “Ishe anoida.” Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi. Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa. Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti: “Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!” “Rugare ngaruve kudenga, nembiri kumusoro-soro!” Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!” Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.” Akati aswedera kuJerusarema uye achiona guta, akachema pamusoro paro akati, “Dai iwe, kunyange iyewe, waiziva chete pazuva rino zvinhu zvaizokupa rugare, asi zvino zvakavanzwa pameso ako. Mazuva achasvika pamusoro pako ayo vavengi vako vachakuvakira muchinjiziri vagokukomberedza uye vagokumanikidza kumativi ose. Vachakupwanyira pasi, iwe navana vari mukati mamasvingo ako. Havazongosiyi ibwe pamusoro perimwe nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako naMwari.” Ipapo akapinda mutemberi akatanga kubudisa vaya vakanga vachitengesa. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera,’ asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya. Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake. Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari. Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?” Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei, ‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’ ” Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ iye achati, ‘Seiko musina kumutenda?’ Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.” Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.” Jesu akati, “Neniwo handichakuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.” Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu. Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu. Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu. Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze. “Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’ “Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’ Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya. “Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari? Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!” Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’? Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.” Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu. Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati. Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi. Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?” Akaona kunyengera kwavo akati kwavari, “Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvaani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.” Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara. Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana. Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana. Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana. Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana. Pakupedzisira, mukadzi akafawo. Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?” Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa. Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa, uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa. Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.” Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!” Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo. Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’ Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko. Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye kuti vaonekwe, vanoita minyengetero mirefu, Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.” Akati achitarira, Jesu akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chepfuma chomutemberi. Akaonawo chirikadzi murombo ichiisa tumari tuviri tuduku twendarira. Akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose. Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.” Vamwe vadzidzi vake vakanga vachitaura pamusoro pamashongedzerwo akanga akaitwa temberi namatombo akanaka uye nezvipo zvakanga zvakumikidzwa kuna Mwari. Asi Jesu akati, “Zvamuoona pano izvi, nguva ichasvika yokuti ibwe rimwe haringaregwi riri pamusoro perimwe; rimwe nerimwe rawo richarasirwa pasi.” Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichaitika rinhiko? Uye chiratidzo chichava chipi chokuti izvozvo zvava kuzoitika?” Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera. Kana mukanzwa zvehondo uye nokumukirana, musavhundutswa. Zvinhu izvozvi zvinofanira kutanga kuitika, asi kuguma hakuzosviki pakarepo.” Ipapo akati kwavari, “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nokudengenyeka kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga. “Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu. Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari. Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei. Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa. Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanun'una, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu. Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara. Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu. “Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo. Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta. Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe. Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu. Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa navaHedheni kusvikira nguva dzavaHedheni dzazadziswa. “Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa. Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti hondo dzokudenga dzichazungunuswa. Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru. Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.” Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Tarirai muti womuonde nemiti yose. Painenge ichitungira mashizha, munogona kuona pachenyu nokuziva kuti zhizha rava pedyo. Nokudarowo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, muzive kuti umambo hwaMwari hwava pedyo. “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu izvi zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa, kudhakwa nokufunganya kwoupenyu, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva musina kuzvitarisira. Nokuti richasvika pamusoro pavose vagere pamusoro penyika yose. Garai makagadzirira, uye munyengetere kuti mugogona kupunyuka pazvose izvo zvava kuda kuitika, uye kuti mugogona kumira pamberi poMwanakomana woMunhu.” Zuva rimwe nerimwe Jesu aidzidzisa patemberi, uye madekwana oga oga achindopedza usiku hwose ari muGomo reMiorivhi, uye vanhu vose vaiuya patemberi mangwananingwanani kuti vazomunzwa. Zvino Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, unonzi Pasika, wakanga woswedera, uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yavangabata nayo Jesu, nokuti vakanga vachitya vanhu. Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri. Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu sei. Vakafara uye vakatenderana kuti vaizomupa mari. Akatenda, akatsvaka mukana wokuti aise Jesu kwavari pasina vanhu vazhinji. Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika. Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai mundotigadzirira Pasika tidye.” Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?” Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda, mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’ Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.” Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo. Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura. Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.” Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.” Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi. Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura. Mwanakomana woMunhu achaenda sezvazvakatemwa, asi ane nhamo munhu uyo anomupandukira.” Vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti angava ani pavari angaita chinhu ichi. Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose. Jesu akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri. Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda. Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda. Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu. Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo, kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri. “Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi. Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti rutendo rwako rurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.” Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.” Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.” Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?” Ivo vakati, “Hapana.” Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga. Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.” Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.” Akapindura akati, “Zvaringana.” Jesu akabuda sezvaaisiita mazuva ose akaenda kuGomo reMiorivhi, uye vadzidzi vake vakamutevera. Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa.” Akabva pavari akaenda mberi kwavo chinhambwe chingasvika dombo rapotserwa, akapfugama ndokunyengetera achiti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu kuitwe.” Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari uye akamusimbisa. Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi. Akati achisimuka kubva pakunyengetera, akadzokera kuvadzidzi, akasvikovawana vavata, vaneteswa nokusuwa. Akasvikovabvunza achiti, “Seiko mavata? Mukai munyengetere kuti murege kuwira mukuedzwa.” Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode, asi Jesu akamubvunza akati, “Judhasi, uri kupandukira Mwanakomana woMunhu nokutsvoda here?” Vateveri vaJesu vakati vaona zvakanga zvoda kuitika vakati, “Ishe, tivabaye neminondo yedu here?” Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa. Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo? Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.” Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure. Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo. Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunan'anidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.” Asi iye akaramba izvozvo uye akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.” Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.” Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!” Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.” Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira. Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru. Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka nokumurova. Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?” uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka. Kuzoti kwaedza dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, uye Jesu akamiswa pamberi pavo. Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi, uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri. Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.” Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?” Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.” Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.” Ipapo ungano yose yakasimuka ikaenda naye kuna Pirato. Uye vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu. Haabvumirani nokuripa mutero kuna Kesari uye anozviti ndiye Kristu, mambo.” Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.” Ipapo Pirato akati kuvaprista vakuru navanhu vazhinji, “Handiwani hwaro hwemhosva inopomerwa murume uyu.” Asi ivo vakaramba vachiti, “Anomutsa vanhu nedzidziso yake muJudhea rose. Akatanga kuGarirea uye atosvika kwose kuno uku.” Anzwa izvi, Pirato akabvunza kuti murume uyu akanga ari muGarirea here. Akati anzwa kuti Jesu akanga ari pasi poutongi hwaHerodhi, akabva amutumira kuna Herodhi, uyo aivawo muJerusarema panguva iyoyo. Herodhi akati achiona Jesu, akafara zvikuru, nokuti akanga achishuva kumuona kwenguva refu. Kubva pane zvaakanga ambonzwa nezvake, ainge achitarisira kuti amuone achiita zvishamiso. Akamubvunza mibvunzo mizhinji, asi Jesu haana kumupindura. Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vamire ipapo, vachinyanya kumupomera mhosva. Ipapo Herodhi navarwi vake vakamuzvidza uye vakamuseka. Vakamupfekedza nguo youmambo, vakamudzosera kuna Pirato. Musi uyo, Herodhi naPirato vakava shamwari, kare kwavo, vakanga vachimbovengana. Pirato akaunganidza vaprista vakuru, vatongi, navanhu, akati kwavari, “Mauyisa munhu uyu kwandiri somunhu anomutsa vanhu kuti vamukire hurumende. Ndanyatsomuongorora pamberi penyu uye ndashaya hwaro hwemhosva yamunomupomera. Kunyange naHerodhi, nokuti amudzosa kwatiri; sezvamunoona, haana kuita chinhu chingafanira kutongerwa rufu. Naizvozvo, ndichamurova ndigomuregedza.” (Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe munhu pamutambo.) Vose pamwe chete vakadanidzira vachiti, “Murume uyu ngaafe! Tisunungurirei Bharabhasi!” (Bharabhasi akanga aiswa mujeri nokuda kwebope raakanga amutsa muguta, uye nemhaka yokuuraya.) Sezvaakanga achida kusunungura Jesu, Pirato akataurazve navo. Asi ivo vakaramba vachidanidzira vachiti, “Murovererei! Murovererei!” Akati kwavari kechitatu, “Sei? Murume uyu atadzeiko? Handina kuwana mhosva yokuti atongerwe rufu paari. Naizvozvo, ndichaita kuti arohwe ndigomusunungura.” Asi vakaramba vachidanidzira nenzwi guru vachiti aifanira kurovererwa pamuchinjikwa, uye kudanidzira kwavo kukakunda. Saka Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe. Akasunungura murume akanga aiswa mujeri nokuda kwebope uye nokuuraya, uyo wavakanga vakumbira, ndokubva avapa Jesu kuti vaite zvavanoda naye. Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, pamwe chete navakadzi vakanga vachichema uye vachiungudza. Jesu akatendeuka akati kwavari, “Vanasikana veJerusarema, musandichema ini; zvichemei imi navana venyu. Nokuti nguva ichasvika iyo yamuchati, ‘Vakaropafadzwa vakadzi vasingabereki, izvo zvizvaro zvisina kumbobereka, namazamu asina kumboyamwisa!’ Ipapo “vachati kumakomo, ‘Wirai pamusoro pedu!’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei!’ Nokuti kana vanhu vachiita zvinhu izvi pamuti munyoro, chiiko chichaitika kune wakaoma?” Vamwezve varume vaviri, vose vakanga vari mbavha, vakatorwawo pamwe chete naye kuti vandourayiwa. Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake. Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya. Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, “Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa.” Varwi vakasvikawo vakamuseka. Vakamupa waini yevhiniga vakati, “Kana uri mambo wavaJudha, chizviponesa.” Pamusoro pake pakanga pane chiziviso chakanga chakanyorwa kuti: UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA. Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!” Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko? Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.” Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.” Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.” Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe, nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati. Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake. Mukuru wezana, akati achiona zvakanga zvaitika, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo uyu anga ari munhu akarurama.” Vanhu vose vakanga vakaungana kuzopupura chiitiko ichi, vakaona zvakanga zvaitika, vakazvirova zvipfuva zvavo uye vakadzokera. Asi vakanga vachimuziva, pamwe chete navakadzi vakanga vamutevera vachibva kuGarirea, vakamira nechokure, vakatarisa zvinhu zvose izvi. Zvino kwakanga kuno mumwe murume ainzi Josefa, nhengo yedare ramakurukota, munhu akanga akanaka uye akarurama, uyo akanga asina kubvumirana navo pakuronga kwavo uye nokuita kwavo. Aibva kuguta ravaJudha reArimatea uye akanga akamirira umambo hwaMwari. Asvika kuna Pirato, akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo akauburutsa, akauputira nomucheka akauisa muguva rakanga racherwa paruware, rakanga risina kumbovigwa munhu. Rakanga riri zuva rokugadzirira, uye Sabata rakanga rava kuda kutanga. Vakadzi vaya vakanga vauya naJesu vachibva kuGarirea vakatevera Josefa vakaona guva uye kuti mutumbi wake wakanga waradzikwa sei mariri. Ipapo vakaenda kumba vakandogadzira zvinonhuwira namafuta anonhuwira. Asi vakazorora nomusi weSabata vachiteerera murayiro. Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva. Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva, asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu. Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo. Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotama pasi nezviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa? Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti: ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ ” Ipapo vakarangarira mashoko ake. Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose. VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo. Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari. Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika. Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema. Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika. Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo; asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva. Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?” Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa. Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?” Jesu akati, “Zveiko?” Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose. Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa; asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika. Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu. Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.” Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita! Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?” Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro. Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira. Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo. Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa. Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo. Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?” Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane gumi nomumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete uye vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.” Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa. Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.” Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya. Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu? Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.” Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake. Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?” Vakamupa chimedu chehove yakagochwa, uye akatora akaidya pamberi pavo. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.” Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kuvakafa pazuva rechitatu, uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.” Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza. Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga. Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru. Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose. Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga. Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa. Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda. Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika. Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira. Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari. Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi. Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’ ” Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu. Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe. Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani. Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.” Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?” Iye akati, “Handizi iye.” “Uri muprofita here?” Akapindura akati, “Kwete.” Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?” Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ” Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria uye kana Muprofita?” Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi. Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.” Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani. Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika! Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’ Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.” Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake. Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka uye achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’ Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri. Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!” Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “Rabhi” (ndiko kuti Mudzidzisi), “munogarepiko?” Akapindura akati, “Uyai muzokuona.” Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi. Andirea munun'una waPetro, ndiye wavamwe vaviri akanga anzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye akanga atoteverawo Jesu. Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu). Uye akauya naye kuna Jesu. Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro). Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.” Firipi, aibvawo kuguta reBhetisaidha saAndirea naPetro, Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.” Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?” Firipi akati, “Uya uone.” Jesu akati achiona Natanieri achiuya, akati kwaari, “Houno muIsraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.” Natanieri akamubvunza akati, “Mandiziva seiko?” Jesu akapindura akati, “Ndakuona pawanga uri pasi pomuonde Firipi asati akudana.” Ipapo Natanieri akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari; ndimi Mambo weIsraeri.” Jesu akati, “Unotenda nokuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pomuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvozvo.” Ipapo akatizve, “Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizaruka, uye vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu.” Pazuva rechitatu muchato wokuwana wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo, uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu. Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.” Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.” Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.” Pakare ipapo pakanga pana makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana. Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo. Ipapo akavaudza akati, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.” Vakaita saizvozvo. Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vambonwa kwazvo, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wapa yakaisvonaka kusvikira zvino.” Ichi chiratidzo chokutanga, Jesu akachiita paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari. Shure kwaizvozvo akaburuka akaenda kuKapenaume namai vake, navanun'una vake uye navadzidzi vake. Vakagara ikoko kwamazuva mashoma. Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema. Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhanha mari. Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo. Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!” Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?” Jesu akavapindura akati, “Paradzai temberi iyi, uye ini ndichaivakazve mumazuva matatu.” VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?” Asi temberi yaaireva waiva muviri wake. Shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira zvaakanga ambotaura. Ipapo vakatenda Magwaro namashoko akanga ataurwa naJesu. Zvino paakanga ari muJerusarema paMutambo wePasika, vanhu vazhinji vakaona zviratidzo zvaakanga achiita uye vakatenda muzita rake. Asi Jesu haana kuvimba navo, nokuti aiziva vanhu vose. Akanga asingatsvaki uchapupu hwomunhu pamusoro pomunhu nokuti akanga achiziva zvakanga zviri mumunhu. Zvino kwakanga kuno mumwe murume weboka ravaFarisi ainzi Nikodhimo, nhengo yedare ravaJudha raitonga. Akauya kuna Jesu usiku akati, “Rabhi, tinoziva kuti muri mudzidzisi akabva kuna Mwari. Nokuti hakuna munhu angagona kuita zviratidzo zvamunoita kana Mwari asinaye.” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva.” Nikodhimo akabvunza akati, “Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru? Zvirokwazvo haangagoni kupinda mudumbu ramai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya. Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya. Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, ‘Unofanira kuberekwa patsva.’ Mhepo inovhuvhuta ichienda kwainoda. Unonzwa inzwi rayo, asi haugoni kuziva kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvakaitawo vose vakaberekwa noMweya.” Nikodhimo akati, “Zvingaitika seiko izvi?” Jesu akati, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi? Ndinokuudza chokwadi, tinotaura zvatinoziva, uye tinopupura zvatakaona, asi hazvo, imi vanhu hamutongogamuchiri uchapupu hwedu. Ndataura kwauri pamusoro pezvinhu zvapanyika uye hautendi; zvino ungatenda sei kana ndikataura pamusoro pezvinhu zvokudenga? Hakuna munhu akamboenda kudenga kunze kwaiye akabva kudenga, iye Mwanakomana woMunhu. Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudzwawo, kuti ani naani anotenda kwaari ave noupenyu husingaperi. “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa. Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena. Asi ani naani anorarama muchokwadi anouya muchiedza, kuitira kuti zvaakaita zvionekwe pachena kuti zvakaitwa kubudikidza naMwari.” Shure kwaizvozvo, Jesu navadzidzi vake vakabuda vakaenda kunyika yeJudhea, uko kwaakandogara navo kwechinguva, uye akabhabhatidza. Zvino Johaniwo aibhabhatidza paAenoni pedyo neSarimu nokuti pakanga pane mvura zhinji, uye vanhu vakanga vachiramba vachiuya kuti vazobhabhatidzwa. (Panguva iyi, Johani akanga asati aiswa mutorongo.) Nharo dzakamuka pakati pavamwe vadzidzi vaJohani nomumwe muJudha pamusoro penyaya dzokuzvinatsa nokushamba. Vakauya kuna Johani uye vakati kwaari, “Rabhi, uya murume wamakanga muinaye mhiri kwaJorodhani, iye wamakapupura nezvake, onai, ari kubhabhatidza, uye vanhu vose vari kuenda kwaari.” Johani akapindura achiti, “Munhu anongogamuchira chete zvaanenge apiwa zvichibva kudenga. Imi pachenyu mungandipupurira kuti ndakati, ‘Ini handisini Kristu, asi ndakatumwa mberi kwake.’ Mwenga ndowechikomba. Shamwari inoshandira chikomba inomira ichimunzwa uye inozara nomufaro painonzwa inzwi rechikomba. Mufaro uyo ndowangu, uye iye zvino wakwana. Anofanira kuva mukuru; ini ndinofanira kudukupiswa. “Uyo anobva kumusoro ndiye ari pamusoro pavose; uyo anobva panyika ndowenyika, uye anotaura somunhu anobva panyika. Uyo anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose. Iye anopupura zvaakaona nezvaakanzwa, asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake. Munhu anohugamuchira, anopupura kuti Mwari ndowechokwadi. Nokuti uyo akatumwa naMwari anotaura mashoko aMwari, nokuti Mwari anopa Mweya asingayeri. Baba vanoda mwanakomana uye vakaisa zvose mumaoko ake. Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.” VaFarisi vakanzwa kuti Jesu akanga achiteverwa navanhu vazhinji uye achibhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johani, kunyange zvake akanga asiri Jesu aibhabhatidza, asi vadzidzi vake. Ishe akati anzwa izvi, akabva kuJudhea akadzokera kuGarirea zvakare. Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria. Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho. Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu. Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?” (Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.) Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.) Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.” Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi? Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?” Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve, asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.” Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.” Akapindura akati, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume. Chokwadi ndeichi, wakava navarume vashanu, uye murume waunaye zvino haazi murume wako. Zvawabva mukutaura ndicho chokwadi.” Mukadzi akati, “Ishe, ndinoona kuti muri muprofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri, asi imi vaJudha munoti, nzvimbo yatinofanira kunamata tiri ndimo muJerusarema.” Jesu akati, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema. Imi vaSamaria munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate. Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.” Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya anonzi Kristu ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.” Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.” Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?” Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu, “Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?” Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari. Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.” Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.” Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake. Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe. Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete. Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’ Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.” VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.” Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri. Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi. Ivo vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; uye zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.” Mazuva maviri akati apfuura, akabva akaenda kuGarirea. Zvino Jesu pachake akanga ambopupura kuti muprofita haakudzwi munyika yokwake. Akati asvika muGarirea, vaGarirea vakamugamuchira. Vakanga vaona zvose zvaakanga aita muJerusarema pamutambo wePasika, nokuti naivowo vaivapo. Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume. Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa. Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.” Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.” Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.” Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda. Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora. Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.” Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda. Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea. Shure kwaizvozvo, Jesu akakwira kuJerusarema kumutambo wavaJudha. Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu. Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo. Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho. Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere. Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, “Unoda kuporeswa here?” Murwere akati, “Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira.” Ipapo Jesu akati kwaari, “Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe.” Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba. Zuva rakaitika izvi raiva reSabata. Naizvozvo vaJudha vakati kumunhu uya akanga aporeswa, “Nhasi iSabata; murayiro unokurambidza kuti utakure rukukwe rwako.” Asi iye akapindura akati, “Munhu andiporesa ati kwandiri, ‘Takura rukukwe rwako ufambe.’ ” Saka vakamubvunza vakati, “Ndianiko munhu uyu akutaurira kuti urutakure ufambe?” Munhu uya akanga aporeswa akanga asingazivi kuti ainge ari ani, nokuti Jesu akanga apinda mukati meungano yakanga iripo. Shure kwaizvozvo, Jesu akamuwana ari mutemberi uye akati kwaari, “Tarira, wapora; Usatadzazve kuti urege kuwirwa nechimwe chinhu chakaipisisa.” Murume akabva akaenda akandoudza vaJudha kuti ndiJesu akanga amuporesa. Saka nokuda kwokuti Jesu akanga achiita zvinhu izvi nomusi weSabata, vaJudha vakamutambudza. Jesu akati kwavari, “Baba vangu vanoramba vari pabasa ravo kusvikira nhasi chaiye, uye neniwo, ndiri kushanda.” Nokuda kwaizvozvi, vaJudha vakaedza zvakanyanya kwazvo kuti vamuuraye; nokuti akanga asingaputsi Sabata chete, asi akanga achitiwo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga; anongogona kuita zvaanoona Baba vake vachiita, nokuti zvose zvinoitwa naBaba, Mwanakomana anozviitawo. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanoita ivo. Hongu, kuti imi mushamiswe, vachamuratidza kunyange zvinhu zvikuru kwazvo kupfuura izvi. Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape. Pamusoro paizvozvo, Baba havatongi munhu, asi vakapa mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma. “Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama. Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu. “Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya apo vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa. Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma. “Kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu hahuna maturo. Pano mumwe anondipupurira, uye ndinoziva kuti uchapupu hwake pamusoro pangu ndohwechokwadi. “Makatuma nhume kuna Johani naiye akapupurira chokwadi. Hazvirevi kuti ndinogamuchira kupupura kwavanhu; asi ndareva izvi kuti muponeswe. Johani akanga ari mwenje unopfuta nokuvhenekera, uye imi makasarudza kufara kwenguva duku muchiedza chake. “Ndino uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani. Nokuti iro basa chairo randakapiwa naBaba kuti ndiripedze, uye randiri kuita, rinondipupurira kuti Baba vakandituma. Uye ivo Baba vakandituma vakapupura pachavo pamusoro pangu. Hamuna kutombonzwa inzwi ravo kana kuona chimiro chavo, uye shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi iye waakatuma. Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu, asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu. “Handigamuchiri kurumbidza kunobva kuvanhu, asi ndinokuzivai. Ndinoziva kuti hamuna rudo rwaMwari mumwoyo yenyu. Ndakauya muzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri; asi kana mumwewo zvake akauya muzita rake, muchamugamuchira. Mungatenda seiko kana muchikudzana pachenyu asi musingashingairiri kuwana kurumbidzwa kunobva kuna Mwari oga? “Asi musafunga kuti ndichakupomerai mhosva pamberi paBaba. Mupomeri wenyu ndiMozisi, wamunoisa tariro yenyu maari. Dai maitenda Mozisi, mungadai maitendawo ini, nokuti akanyora nezvangu. Asi sezvo musingatendi zvaakanyora, muchatenda seiko zvandinoreva?” Shure kwaizvozvi, Jesu akayambuka akaenda mhiri kumahombekombe eGungwa reGarirea (ndiro Gungwa reTibheriasi), uye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere. Ipapo Jesu akakwira pagomo akagara pasi navadzidzi vake. Mutambo wavaJudha wePasika wakanga wava pedyo. Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?” Akabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita. Firipi akamupindura akati, “Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!” Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, munun'una waPetro, akati, “Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?” Jesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu. Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove. Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.” Saka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya. Vanhu vakati vaona chiratidzo chakanga chaitwa naJesu, vakatanga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika.” Jesu, akaziva kuti vaida kumumanikidza kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda kugomo ari oga. Nguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa, uko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari. Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha. Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru. Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.” Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga. Fume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga. Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe. Vazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu. Vakati vamuwana ari mhiri kwegungwa vakamubvunza vakati, “Rabhi, makauya kuno riniko?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta. Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.” Ipapo vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko kuti tiite mabasa anodikanwa naMwari?” Jesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.” Saka vakamubvunza vakati, “Muchatiradza chiratidzo cheiko chatingaona kuti tigokutendai? Muchaiteiko? Madzibaba edu akadya mana murenje; sezvazvakanyorwa zvichinzi: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’ ” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye achipa upenyu kunyika.” Ivo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.” Ipapo Jesu akataura achiti “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota. Asi sezvandakakuudzai, makandiona uye hamutendi nazvino. Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure. Nokuti ndakaburuka kudenga kuti ndirege kuzoita kuda kwangu asi kuda kwaiye akandituma. Uye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira. Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana anokutenda maari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.” Ipapo, vaJudha vakatanga kugunun'una pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.” Vakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga’?” Jesu akapindura akati, “Regai kugunun'una pakati penyu. Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira. Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri. Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa. Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.” Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?” Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho. Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari. Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichararama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume. Pavakanzwa izvi, vadzidzi vake vazhinji vakati, “Kudzidzisa uku kwakaoma. Ndianiko angakugamuchira?” Aiziva zvake kuti vadzidzi vake vakanga vachigunun'una pamusoro paizvozvi, Jesu akati kwavari, “Izvi zvinokugumburai here? Muchaita sei kana mukaona Mwanakomana woMunhu achikwira achienda kwaaimbova kare! Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu. Asi vamwe venyu varipo vasingatendi.” Nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani pakati pavo vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira. Akaenderera mberi achiti, “Ndokusaka ndakakuudzai kuti hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge azvipiwa naBaba.” Kubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera. Jesu akabvunza vane gumi navaviri akati, “Nemiwo hamusi kuda kuenda here?” Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi. Tinotenda uye tinoziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” Ipapo Jesu akati, “Handina kukusarudzai, imi vane gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndidhiabhori!” Akanga achireva Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti, uyo, kunyange akanga ari mumwe wavane gumi navaviri, aizomupandukira. Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya. Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo, vanun'una vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita. Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.” Nokuti kunyange vanun'una vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka. Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa. Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.” Akati areva izvi, akagara muGarirea. Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanun'una vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande. Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Munhu uya aripiko?” Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.” Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha. Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwira kutemberi uye akatanga kudzidzisa. VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?” Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma. Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga. Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari. Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?” Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?” Jesu akati kwavari, “Ndakaita chishamiso chimwe chete, asi imi mose muri kushamiswa nazvo. Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata. Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata? Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.” Panguva iyoyo vamwe vanhu veJerusarema vakatanga kubvunzana vachiti, “Ko, uyu haasiye munhu uya wavari kuedza kuuraya here? Hoyu ari pano, ari kutaura zvake pachena, uye havatauri kana shoko kwaari. Ko, vakuru vatenderana kanhi kuti ndiye Kristu? Asi tinoziva kunobva munhu uyu; Kristu paanouya, hakuna munhu achaziva kwaanobva.” Ipapo Jesu, achiri kudzidzisa ari mutemberi, akadanidzira achiti, “Hongu, munondiziva, uye munoziva kwandinobva. Handisi pano nokuda kwangu, asi uyo akandituma ndiye wechokwadi. Imi hamumuzivi, asi ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uye ndiye akandituma.” Ipapo vakaedza kumubata, asi hapana munhu akaisa ruoko paari, nokuti nguva yake yakanga ichigere kusvika. Kunyange zvakadaro, vazhinji pakati pavanhu vakatenda kwaari. Vakati, “Kristu paanouya, achaita zviratidzo zvizhinji kupfuura murume uyu here?” VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachiita zevezeve rezvinhu zvakadai pamusoro pake. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakatuma varindi vomutemberi kuti vandomusunga. Jesu akati kwavari, “Ndinongova nemi kwechinguva chiduku, uye ipapo ndichazoenda kuna iye akandituma. Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani; uye pandinenge ndiri, hamugoni kusvikapo.” VaJudha vakataurirana vachiti, “Munhu uyu ari kuda kuenda kupiko kwatisingazomuwani? Achaenda here kuvanhu vedu vakapararira pakati pavaGiriki, agondodzidzisa vaGiriki? Anga achireveiko paati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani,’ uye ‘Pandinenge ndiri, imi hamugoni kusvikapo’?” Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa. Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.” Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari. Nokuti Mweya wakanga usati wapiwa, sezvo Jesu akanga asati akudzwa. Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.” Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea? Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?” Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu. Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari. Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?” Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.” VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo? Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here? Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.” Nikodhimo, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati, “Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?” Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarireasu? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.” Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake. Asi Jesu akaenda kuGomo reMiorivhi. Panguva dzamambakwedza akazviratidzazve mutemberi, vanhu vakamuunganira, uye akagara pasi kuti avadzidzise. Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vakapinda nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamuita kuti amire pamberi peboka uye vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe. MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?” Vakanga vachishandisa mubvunzo uyu kuti vamuteye, vawane hwaro hwokumupa mhosva. Asi Jesu akakotama akatanga kunyora pasi nomunwe wake. Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari.” Akakotamazve akanyora pasi. Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo. Jesu akatwasuka akati kwaari, “Mai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?” Iye akati, “Hapana, Ishe.” Jesu akati, “Neniwo handikupi mhosva. Chienda zvino uye usiye upenyu hwako hwechivi.” Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.” Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda. Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu. Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handizi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma. Mumurayiro wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi. Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.” Ipapo vakamubvunza vakati, “Baba vako varipiko?” Jesu akapindura akati, “Hamundizivi ini kana Baba vangu. Dai maindiziva mungadai maizivawo Baba vangu.” Akataura mashoko aya paakanga achidzidzisa ari mutemberi pedyo nenzvimbo yaiiswa zvipo. Asi hapana munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.” Izvi zvakaita kuti vaJudha vabvunzane vachiti, “Achazviuuraya here? Ndizvo zvaanoreva here zvaanoti, ‘Kwandinoenda, imi hamungauyiko?’ ” Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handizi wenyika ino. Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.” Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?” Jesu akapindura akati, “Izvozvo zvandanguri ndataura kare kuti ndini iye. Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.” Havana kunzwisisa kuti akanga achivaudza nezvaBaba. Saka Jesu akati kwavari, “Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga. Uyo akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinomufadza.” Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari. Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anoita zvivi ndiye muranda wechivi. Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi. Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri. Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.” Ivo vakati, “Abhurahama ndivo baba vedu.” Jesu akati, “Dai maiva vana vaAbhurahama, ipapo maidai muchiita zvinhu zvakanga zvichiitwa naAbhurahama. Izvozvi muri kutsvaka kundiuraya, munhu akuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahama haana kuita zvinhu zvakadai. Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.” Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.” Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma. Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura. Imi muri vababa venyu, diabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo. Asi nokuda kwokuti ndinotaura chokwadi, imi hamutendi kwandiri! Ndiani pakati penyu angaratidza kukanganisa kwangu? Kana ndichitaura chokwadi, seiko musinganditendi? Uyo ari waMwari anonzwa zvinorehwa naMwari. Chinoita kuti murege kunzwa ndechokuti imi hamuzi vaMwari.” VaJudha vakamupindura vakati, “Hatina kutaura chokwadi here patakati uri muSamaria uye kuti une dhimoni?” Jesu akati, “Handina kubatwa nedhimoni ini, asi ndinokudza Baba vangu uye imi munondizvidza. Handizvitsvakiri kukudzwa; asi aripo mumwe anotsvaka kukudzwa, uye ndiye mutongi. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.” Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti une dhimoni iwe! Abhurahama akafa navaprofita vakafawo, asi iwe unoti kana munhu akachengeta shoko rako, haangatongoraviri rufu. Ko, iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama here? Ivo vakafa, uye vaprofita vakafawo. Unofunga kuti iwe ndiwe ani?” Jesu akapindura akati, “Kana ini ndichizvirumbidza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo. Baba vangu, avo vamunoti ndivo Mwari wenyu, ndivo vanondikudza. Kunyange musingavazivi, ini ndinovaziva. Dai ndanga ndati handivazivi, ndingadai ndava murevi wenhema semi, asi ndinovaziva uye ndinochengeta shoko ravo. Baba venyu Abhurahama vakafara pavakafunga kuti vachaona zuva rangu; vakariona uye vakafara.” VaJudha vakati, “Iwe hausati watombova namakore makumi mashanu okuzvarwa, asi unoti iwe wakaona Abhurahama!” Jesu akapindura akati, “Abhurahama asati azva-rwa ini ndaivapo!” Ipapo, vakanonga matombo kuti vamutake, asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi. Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?” Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake. Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo. Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.” Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya. Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona. Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?” Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.” Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.” Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?” Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akariisa pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.” Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?” Iye akati, “Handizivi.” Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi. Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikaiswa pameso omunhu naJesu, raiva zuva reSabata. Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Aisa dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.” Vamwe vaFarisi vakati, “Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana. Pakupedzisira vakadzokerazve kumunhu uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.” Murume uya akapindura akati, “Muprofita.” Kunyange zvakadaro, vaJudha havana kubvuma kuti akanga ari bofu uye kuti akanga asvinudzwa meso ake, kusvikira vadana vabereki vake. Vakati kwavari, “Mwanakomana wenyu here uyu? Ndiye here wamunoti akaberekwa ari bofu? Seiko ava kuona iye zvino?” Vabereki vake vakati, “Tinoziva kuti ndiye mwanakomana wedu, uye tinoziva kuti akaberekwa ari bofu. Asi kuti ari kuona sei nhasi kana kuti ndiani asvinudza meso ake, isu hatizivi. Mubvunzei. Akura; achazvidavirira oga.” Vabereki vake vakataura izvi nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kuti ani naani anenge angopupura kuti Jesu ndiye Kristu aizofanira kubudiswa musinagoge. Ndokusaka vabereki vake vakati, “Akura mubvunzei iye.” Vakadanazve murume uya akambenge ari bofu kechipiri. Vakati kwaari, “Ipa mbiri kuna Mwari. Isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.” Akapindura akati, “Kana ari mutadzi kana asiri, ini handizvizivi. Ndinoziva chinhu chimwe chete. Ndakanga ndiri bofu asi zvino ndoona!” Ipapo vakamubvunza vakati, “Akaiteiko kwauri? Akasvinudza meso ako seiko?” Akapindura akati, “Ndanguri ndakuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodireiko kuzvinzwazve? Munoda kuva vadzidzi vakewo here?” Ipapo vakamutuka vakati, “Iwe hako ndiwe mudzidzi wake munhu uyu! Isu tiri vadzidzi vaMozisi! Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi kana ari munhu uyu, hatimbozivi kwaanobva.” Murume uya akapindura akati, “Zvino, izvi zvinoshamisa chose! Hamuzivi kwaanobva, asi iye akasvinudza meso angu. Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake. Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu. Dai munhu uyu asina kubva kuna Mwari, haaigona kuita chinhu.” Ipapo vakapindura vakati, “Iwe wakaberekerwa muchivi; unoda seiko kutidzidzisa!” Ipapo vakamubudisa kunze. Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, zvino akati amuwana, akati kwaari, “Unotenda here kuMwanakomana woMunhu?” Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.” Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.” Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata. Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.” Vamwe vaFarisi vaiva naye vakamunzwa achitaura izvi vakati, “Watii? Nesuwo tiri mapofu here?” Jesu akati, “Dai maiva mapofu, mungadai musina mhosva yechivi; asi zvino zvamunoti munoona, mhosva yenyu inoramba iripo.” “Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo. Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai. Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze. Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake. Asi haatongoteveri mweni; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.” Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza. Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai. Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro. Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara. “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira. Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai. “Ndiani mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva, Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete. Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve. Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.” Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya. Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?” Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?” Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando, uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni. VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.” Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira, asi hamutendi nokuti hamuzi makwai angu. Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu. Ini naBaba tiri vamwe.” VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake, asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?” Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.” Jesu akavapindura akati, “Ko, hazvina kunyorwa here muMurayiro wenyu, kuti ‘Ndakati muri vamwari’? Kana akavaidza ‘vamwari,’ avo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye Rugwaro harungaputswi, zvakadii kuno uyo akatsaurwa naBaba saiye wavo chaiye uye wavakatuma panyika? Seiko muchindipomera mhosva yokumhura, zvandati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari’? Musanditenda kana ndisina kuita zvinoitwa naBaba vangu. Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.” Vakaedzazve kumubata, asi akavapunyuka. Ipapo Jesu akayambuka Jorodhani kunzvimbo yakanga ichibhabhatidzira Johani pamazuva okutanga. Akagara ipapo uye vanhu vazhinji vakauya kwaari. Vakati, “Kunyange zvake Johani asina kumboita mabasa esimba, zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomurume uyu zvaiva zvechokwadi.” Uye panzvimbo iyo, vazhinji vakatenda kuna Jesu. Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake. Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, “Ishe, uya wamunoda ari kurwara.” Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, “Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nembiri yaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo.” Jesu aida Marita, nomunun'una wake uye naRazaro. Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Ngatidzokerei kuJudhea.” Vakati kwaari, “Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?” Jesu akapindura akati, “Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino. Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza.” Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, “Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.” Vadzidzi vake vakapindura vakati, “Ishe, kana akavata, achaita zviri nani.” Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo. Saka ipapo akavataurira pachena akati, “Razaro afa, uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari.” Ipapo Tomasi (ainzi Dhidhimo) akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.” Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana. Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema, uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo. Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?” Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.” Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi munun'una wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.” Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari. Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita. VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko. Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika. Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?” Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.” Jesu akachema. Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!” Asi vamwe vavo vakati, “Ko, uyu akasvinudza bofu akanga asingagoni here kudzivisa munhu uyu kuti arege kufa?” Jesu, akabatwa neshungu kwazvo, akasvika paguva. Rakanga riri bako rine dombo rakanga rakaradzikwa rakachinjika mukova waro. Akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, “Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuwa, nokuti atova mazuva mana arimo.” Ipapo Jesu akati, “Ko, handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?” Saka vakabvisa ibwe. Ipapo Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa. Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndareva izvi nokuda kwavanhu vamire pano, kuti vatende kuti imi makandituma.” Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!” Munhu akafa uye akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva uye mumurege aende.” Naizvozvo vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuzoshanyira Maria, uye vaona zvakanga zvaitwa naJesu, vakatenda kwaari. Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi vakavaudza zvakanga zvaitwa naJesu. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakadanidzira musangano weDare Guru ravaJudha. Vakati, “Tiri kuiteiko? Hounoka munhu uyu ari kuita zviratidzo zvesimba zvizhinji. Kana tikamurega achienderera mberi saizvozvi, munhu wose achatenda kwaari, uye vaRoma vachauya vakatitorera zvose nzvimbo yedu norudzi rwedu.” Ipapo mumwe wavo ainzi Kayafasi, akanga ari muprista mukuru wegore iroro akataura achiti, “Hamuna zvamunoziva imi! Hamuzivi here kuti zviri nani kwamuri kuti munhu mumwe afire vanhu pano kuti rudzi rwose ruparare.” Haana kungotaura izvi pachake, asi sezvaakanga ari muprista mukuru wegore iroro, akaprofita kuti Jesu aizofira rudzi rwavaJudha, uye rusati ruri rudzi irworwo bedzi asiwo vana vaMwari vakapararira, kuti avaunganidze agovaita vamwe. Saka kubva pazuva iroro zvichienda mberi, vakarangana kumuuraya. Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha. Asi akabva akaenda kudunhu raiva pedyo nerenje, kumusha wainzi Efuremu, kwaakandogara navadzidzi vake. Pasika yavaJudha yakati yoswedera, vazhinji vaibva munyika iyo vakakwira kuJerusarema kuti vandozvinatsa pasika isati yasvika. Vakaramba vachitsvaka Jesu, uye pavakanga vamire mutemberi, vakabvunzana vakati, “Munofungeiko? Haasi kuzouya kumutambo here?” Asi vaprista vakuru navaFarisi vakanga varayira kuti kana paine anenge aziva kuna Jesu, aifanira kuvazivisa kuitira kuti vagomusunga. Kwakati kwasara mazuva matanhatu kuti Pasika isvike, Jesu akasvika paBhetani, kuya kwaigara Razaro, uyo akanga amutswa naJesu kubva kuvakafa. Ipapo vakamubikira kudya kwamanheru. Marita akavashandira uye Razaro akanga ari pakati pavanhu vakanga vari patafura naye. Ipapo Maria akatora chinu chamafuta anonhuwira, enaridho omutengo unokosha kwazvo; akaadururira patsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Uye imba yakazadzwa nokunhuwira kwamafuta. Asi mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, uyo akanga achizomupandukira, akazviramba izvozvo akati, “Seiko mafuta aya asina kutengeswa uye mari yacho ikapiwa kuvarombo? Anga achikwana mubayiro wegore rose.” Haana kureva izvi nokuda kwokuti aiva nehanya navarombo, asi nokuti aiva mbavha; sezvo akanga ari mubati wehomwe, aimboba zvainge zvaiswa muhomwe yacho. Jesu akapindura akati, “Muregei akadaro. Zvakanga zvakagadzirirwa kuti iye achengetere mafuta aya zuva rokuvigwa kwangu. Varombo munavo nguva dzose pakati penyu, asi ini hamuzorambi muneni.” Zvichakadaro, vazhinji zhinji vechiJudha vakanzwa kuti Jesu akanga aripo vachibva vauya, kwete nokuda kwake bedzi asi kuti vazoonawo Razaro, waakanga amutsa kubva kuvakafa. Saka vaprista vakuru vakaronga kuuraya naRazarowo, nokuti nokuda kwake, vaJudha vazhinji vakanga vava kubva kwavari vachiisa kutenda kwavo kuna Jesu. Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema. Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti: “Hosana!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!” “Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!” Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro pake, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Usatya iwe Mwanasikana weZioni; tarira, mambo wako ari kuuya, akagara pamusoro pomwana wembongoro.” Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu akudzwa, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari. Zvino vanhu vazhinji vakanga vanaye paakadana Razaro kubva muguva uye akamumutsa kubva kuvakafa vakaramba vachiparadzira shoko iri. Vanhu vazhinji, vakabuda kundosangana naye nokuda kwokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichi. Saka vaFarisi vakataurirana vakati, “Onai, hakuna kwatinosvika nazvo izvi. Tarirai kuti nyika inoenda sei kwaari!” Zvino kwakanga kuna vamwe vaGiriki pakati paavo vakanga vakwira kuMutambo kundonamata. Vakauya kuna Firipi, uyo akanga achibva kuBhetisaidha muGarirea, vaine chikumbiro. Vakati, “Ishe, tinoda kuona Jesu.” Firipi akaenda kundoudza Andirea; Andirea naFiripi vakazoudzawo Jesu. Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti mwanakomana woMunhu akudzwe. Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda. Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi. Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira. “Zvino mwoyo wangu uri kurwadziwa, uye ndichati kudiniko? ‘Baba, ndiponesei panguva ino?’ Asi, ndizvo zvandakauyira panguva ino. Baba, kudzai zita renyu!” Ipapo inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.” Vanhu vazhinji vaivapo uye vakarinzwa vakati kwatinhira; vamwe vakati mutumwa ataura kwaari. Jesu akati, “Inzwi iri harina kuuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu. Zvino ndiyo nguva yokutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. Asi ini, pandinenge ndasimudzwa kubva panyika ino, ndichakwevera vanhu vose kwandiri.” Akareva izvi kuti aratidze mafiro aaizoita. Vanhu vazhinji vakati, “Isu takanzwa kubva paMurayiro kuti Kristu achagara nokusingaperi, saka munoreva sei muchiti, ‘Mwanakomana anofanira kusimudzwa’? Ndianiko uyu ‘Mwanakomana woMunhu’?” Ipapo Jesu akati kwavari, “Muchava nechiedza kwechinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, rima risati rasvika. Munhu anofamba murima haazivi kwanoenda. Vimbai nechiedza muchinacho, kuti mugova vanakomana vechiedza.” Akati apedza kutaura zvinhu izvi, Jesu akabvapo akazvivanza kwavari. Kunyange zvazvo Jesu akaita zviratidzo zvose izvi pamberi pavo, havana kutongomutenda. Uku kwaiva kuzadziswa kweshoko raIsaya muprofita raakareva achiti: “Ishe, ndianiko akatenda shoko redu, uye ruoko rwaShe rwakaratidzwa kuna aniko?” Nokuda kwaizvozvo havana kugona kutenda nokuti, pane imwe nzvimbo, Isaya anoti: “Akapofumadza meso avo uye akaomesa mwoyo yavo, kuti varege kuona nameso avo, varege kunzwisisa nemwoyo yavo, varege kudzoka ndigovaporesa.” Isaya akataura izvi nokuti akaona kubwinya kwaJesu uye akataura nezvake. Asi nenguva imwe cheteyo kunyange vazhinji pakati pavatungamiri vakamutenda. Asi nokuda kwavaFarisi, havana kupupura kutenda kwavo nokuti vaitya kudzingwa musinagoge; nokuti vaida kukudzwa kunobva kuvanhu kupfuura kukudzwa kunobva kuna Mwari. Ipapo Jesu akadanidzira akati, “Munhu anenge achitenda kwandiri, haatendi kwandiri bedzi, asiwo nokuna iye akandituma. Paanonditarisa, anoona iye akandituma. Ndakauya panyika sechiedza, kuti kurege kuva nomunhu anotenda mandiri angagara murima. “Kana pane munhu zvake anonzwa mashoko angu, asi akasaachengeta, ini handimutongi. Nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuzoiponesa. Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira. Nokuti handina kungozvipupurira pachangu, asi Baba vakandituma ndivo vakandirayira zvokutaura namatauriro acho. Ndinoziva kuti murayiro wavo unotungamirira kuupenyu husingaperi. Saka zvose zvandinoreva ndizvo chaizvo zvandakanzi nditaure naBaba.” Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake. Kudya kwamadekwana kwakanga kwava kugoverwa, uye dhiabhori akanga aisa mumwoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, pfungwa yokuti apandukire Jesu. Jesu akanga achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari uye kuti aidzokerazve kuna Mwari, saka akasimuka pakudya, akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiuno chake. Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake. Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, “Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?” Jesu akapindura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.” Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.” Ipapo Simoni Petro akati, “Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi asi maoko angu nomusoro wanguwo!” Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.” Nokuti aiziva kuti ndiani aizomupandukira, ndokusaka akati, havasi vose vakanga vakachena. Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, “Munonzwisisa here zvandaita kwamuri? Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri. Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi. Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma. Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita. “Handirevi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuzorwa neni.’ “Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuitira kuti pazvinoitika mugozotenda kuti ndini Iye. Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.” Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo. Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari. Simoni Petro akaninira kumudzidzi uyu akati, “Vabvunzei kuti vanoreva ani.” Akasendamirazve pana Jesu, akamubvunza akati, “Ishe, ndianiko?” Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni. Judhasi achangodya chingwa ichi, Satani akabva apinda maari. Jesu akati kuna Judhasi, “Zvaunoda kuita, ita nokukurumidza,” asi hapana munhu akanga ari pakudya akanzwisisa kuti sei Jesu akanga ataura izvozvo kwaari. Sezvo Judhasi aiva mubati wemari, vamwe vakafunga kuti Jesu aimuudza kuti andotenga zvimwe zvaidikanwa pamutambo, kana kupa varombo chimwe chinhu. Judhasi akati achangodya chingwa, akabuda panze uye hwaiva usiku. Akati aenda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana woMunhu akudzwa uye Mwari akudzwa maari. Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achakudza Mwanakomana maari uye achamukudza pakarepo. “Vana vangu, ndichava nemi kwechinguva chiduku chete. Muchanditsvaka, uye sezvandaudza vaJudha, saizvozvo ndinokuudzai zvino kuti: Kwandinoenda, imi hamugoni kuuyako. “Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.” Simoni Petro akamubvunza akati, “Ishe, muri kuendepiko?” Jesu akapindura akati, “Kwandinoenda, imi hamugoni kutevera, asi muchazotevera pashure.” Petro akati, “Ishe seiko ndisingakwanisi kukuteverai iye zvino? Ndichakufirai ini.” Ipapo Jesu akapindura akati, “Uchandifira here? Ndinokuudza chokwadi kuti, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu!” “Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri. Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo. Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri. Imi munoziva nzira yokuenda nayo kunzvimbo yandiri kuenda.” Tomasi akati kwaari, “Ishe hatizivi kwamuri kuenda, saka nzira yacho tingaiziva seiko?” Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri. Dai maindiziva chaizvo mugadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.” Firipi akati, “Ishe, tiratidzei Baba kuti zvigotiringana.” Jesu akapindura akati, “Firipi, haundizivi iwe here, kunyange ndanga ndiri pakati penyu kwenguva refu yakadai? Ani naani aona ini aona Baba. Unoreva seiko zvaunoti, ‘Tiratidzei Baba’ Hamutendi here kuti ini ndiri muna Baba, uye Baba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri haasi angu ndoga. Asi, ndeaBaba, vanogara mandiri, avo vari kuita basa ravo. Nditendei pandinenge ndichiti, ini ndiri muna Baba uye Baba vari mandiri; kana kuti mutende zviratidzo zvamunoona. Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba. Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita. “Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai. Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi, iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu. Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri. Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri. Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.” Ipapo Judhasi (kwete Judhasi Iskarioti) akati, “Asi Ishe, seiko muchida kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye. Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma. “Zvose izvi ndazvitaura ndichinemi. Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri. Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya. “Makandinzwa ndichiti, ‘Ndiri kuenda uye ndichadzokazve.’ Dai maindida maifara kuti ndinoenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kupfuura ini. Ndagara ndakuudzai zvichigere kuitika, kuitira kuti pazvinenge zvoitika mugozotenda. Handichazotauri nemi kwenguva refu, nokuti muchinda wenyika ino ari kuuya. Haana chinhu pandiri, asi nyika inofanira kudzidza kuti ndinoda Baba uye kuti ndinoita chaizvo zvandinenge ndarayirwa naBaba vangu. “Uyai zvino; ngatibvei pano. “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi. Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda. Imi matonatswa nokuda kweshoko randataura kwamuri. Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri. “Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa. Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa. Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu. “Sezvo Baba vakandida, neni ndakakudaiwo, zvino, chigarai murudo rwangu. Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo. Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana. Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. Dananai sezvo ini ndakakudai. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai. Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai. “Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini. Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamuzi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai. Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzai nemiwo. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateerera kudzidzisa kwenyuwo. Vachakubatai nenzira iyi nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi Iye akandituma. Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina mhosva yechivi ichi. Zvino, kunyange zvakadaro, havana pembedzo yechivi chavo. Uyo anondivenga anovenga naBaba vanguwo. Dai ndanga ndisina kuita pakati pavo zvisina kutongoitwa nomunhu, vangadai vasina mhosva yechivi. Asi zvino vakaona zviratidzo izvi, asi vakandivenga ini naBaba vangu. Asi uku ndiko kuzadziswa kwezvakanyorwa muMurayiro wavo zvinoti: ‘Vakandivenga ndisina mhosva.’ “Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu. Nemiwo munofanira kupupura, nokuti makanga muneni kubva pakutanga. “Ndakuudzai zvose izvi kuitira kuti murege kutsauka. Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari. Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana kuziva Baba kana ini. Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi. “Zvino ndava kuenda kuno akandituma, asi hakuna mumwe wenyu anondibvunza kuti, ‘Muri kuendepiko?’ Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu. Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai imi kuti ini ndava kuenda. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa: pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri; pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve; uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa. “Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino. Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya. Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri. Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri. “Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.” Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?” Vakaramba vachingobvunzana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Chinguva chiduku’? Hatinzwisisi zvaanoreva isu.” Jesu akaona kuti vaida kumubvunza pamusoro pazvo, saka akati kwavari, “Ko, muri kubvunzana pamusoro pezvandanga ndichireva here pandati, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona’? Ndinokuudzai chokwadi, muchachema nokuungudza asi nyika ichifara. Muchava neshungu, asi shungu dzenyu dzichashanduka dzikava mufaro. Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika. Naizvozvo nemiwo zvino inguva yenyu yokusuwa, asi ndichakuonai zvakare uye muchafara, uye hakuna achakutorerai mufaro wenyu. Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara. “Kunyange ndanga ndichitaura nomufananidzo, nguva inouya yandisingazotauri nemifananidzo, asi ndichakuudzai pachena pamusoro paBaba vangu. Pazuva iro, muchakumbira muzita rangu. Handisi kuti ndichakumbira Baba panzvimbo yenyu. Kwete, Baba pachavo vanokudai nokuti makandida, uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari. Ndakabva kuna Baba uye ndikapinda munyika; zvino ndava kusiya nyika uye ndava kudzokera kuna Baba.” Ipapo vadzidzi vaJesu vakati, “Zvino mava kutaura pachena musingaiti nemifananidzo. Zvino tava kuona kuti munoziva zvinhu zvose uye kuti hapana achafanira kuti akubvunzei mibvunzo. Izvi zvinoita kuti titende kuti makabva kuna Mwari.” Jesu akapindura akati, “Mava kutenda here zvino? Asi nguva iri kuuya, uye yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe achienda kumusha kwake. Muchandisiya ndiri ndoga. Asi handisi ndoga, nokuti Baba vangu vaneni. “Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika.” Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei. Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika nokuti ndakapedza basa ramakandipa kuti ndiite. Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa. “Ndakakuratidzai kuna avo vamakandipa panyika. Vakanga vari venyu; mukavapa kwandiri uye vakateerera shoko renyu. Zvino vanoziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri. Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa uye vakaagamuchira. Vakaziva zvechokwadi kuti ndakabva kwamuri, uye vakatenda kuti makandituma. Ndinovanyengeterera. Handisi kunyengeterera nyika, asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu. Zvose zvandinazvo ndezvenyu, uye zvose zvamunazvo ndezvangu. Uye kukudzwa kwakauya kwandiri kubudikidza navo. Ini handichagarizve munyika, asi ivo vachiri munyika, uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vadzivirirei nesimba rezita renyu, zita ramakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe. Pandainge ndiinavo, ndakavadzivirira uye ndikavachengeta zvakanaka nezita ramakandipa. Hakuna akarasika kunze kwouyo akatongerwa kuparadzwa kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe. “Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo. Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika. Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa. Havasi venyika, seni ndisiri wenyika. Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi. Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika. Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi. “Munyengetero wangu hausi waava voga. Ndinonyengetererawo avo vachazotenda kwandiri kubudikidza nemharidzo yavo, kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma. Ndakavapa kubwinya kuya kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe: imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini. “Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa. “Baba vakarurama, kunyange nyika isingakuziviyi, ini ndinokuzivai, uye ivo vanoziva kuti makandituma. Ndakakuzivisai kwavari, uye ndicharamba ndichiita kuti vakuzivei kuitira kuti rudo rwamakandida narwo rwuve mavari uye kuti ini pachangu ndive mavari.” Akati apedza kunyengetera, Jesu akabva navadzidzi vake ndokuyambuka Mupata weKidhironi. Parutivi rwenzvimbo iyi paiva nebindu remiorivhi, uye iye navadzidzi vake vakapindamo. Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva nzvimbo yacho, nokuti Jesu aichimbosanganamo navadzidzi vake. Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi uye nezvombo. Jesu, achiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari, akabuda akaenda kwavari akati, “Ndianiko wamunoda?” Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.) Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi. Akapamhazve kuvabvunza akati, “Ndianiko wamunoda?” Uye ivo vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akapindura akati, “Ndakuudzai kuti ndini iye. Kana muchitsvaka ini, zvino chiregai varume ava vaende.” Izvi zvakaitika kuti mashoko aakanga ataura azadziswe, okuti: “Handina kurasikirwa nomumwe weava vamakandipa.” Ipapo Simoni, uyo akanga ano munondo, akauvhomora akacheka muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. (Zita romuranda uyo rainzi Marikusi.) Jesu akarayira Petro achiti, “Isa munondo wako mumuhara! Ko, ndicharega kunwa mukombe wandapiwa naBaba here?” Ipapo boka ravarwi navatariri vavaJudha vakabata Jesu vakamusunga. Uye vakatanga kuenda naye kuna Anasi, uyo akanga ari tezvara waKayafasi, iye aiva muprista mukuru gore iroro. Kayafasi uyu ndiye uya akapa vaJudha zano rokuti zvainge zvakanaka kuti munhu mumwe chete afire vanhu. Simoni Petro nomumwe mudzidzi vainge vachitevera Jesu. Nemhaka yokuti mudzidzi uyu aizivikanwa nomuprista mukuru uyu, akapinda naJesu mudare redzimhosva romuprista mukuru, asi Petro akasara kunze ari pamukova. Mumwe mudzidzi, aizivikanwa nomuprista mukuru, akadzoka akandotaura nomusikana aichengeta pamusuo ndokupinza Petro mukati. Musikana akanga ari pamukova akabvunza Petro akati, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Iye akapindura akati, “Handizi.” Kwaitonhora, saka varanda nevatariri vakamira vakadziya moto wavakanga vavesa kuti vadziyirwe. Petro akanga amirewo navo, achidziyawo moto. Panguva iyoyo, muprista mukuru akabvunza Jesu pamusoro pavadzidzi vake uye nezvedzidziso yake. Jesu akapindura achiti, “Ndakataura pachena kunyika. Ndaigara ndichidzidzisa mumasinagoge kana patemberi, apo paiungana vaJudha vose pamwe chete. Handina kutaura chinhu muchivande. Munondibvunzireiko? Bvunzai avo vakandinzwa. Zvirokwazvo vanoziva zvandakareva.” Jesu akati ataura izvi, mumwe wavatariri vakanga vari pedyo naye akamurova kumeso. Akati, “Ndiyo nzira yaunopindura nayo muprista mukuru here?” Jesu akapindura akati, “Kana ndataura chimwe chinhu chakaipa, taura kuti chakaipa ndechipi. Asi kana ndataura chokwadi, seiko wandirova?” Ipapo Anasi akamuendesa, akasungwa kuna Kayafasi muprista mukuru. Simoni Petro achakamira achidziya moto, akabvunzwazve kuti, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Akazviramba izvozvo, achiti, “Handizi.” Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, hama youya akanga agurwa nzeve yake naPetro, akamupikisa akati “Ko, handina kukuona unaye mubindu here?” Petro akazvirambazve izvozvo, uye panguva iyoyo jongwe rakatanga kurira. Ipapo vaJudha vakatungamirira Jesu kubva kuna Kayafasi vakaenda naye kumuzinda womubati weRoma. Zvino akanga achiri mangwanani, uye kuti varege kusvibiswa, vaJudha vakarega kupinda mumuzinda; vaida kuti vakwanise kuzodya Pasika. Saka Pirato akabuda kwavari akavabvunza achiti, “Mhosva yomurume uyu ndeyeiko?” Vakapindura vachiti, “Dai anga asiri mutadzi, tingadai tisina kuuya naye kwamuri.” Pirato akati, “Mutorei imi mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakaramba vachiti, “Asika, isu hatina mvumo yokuuraya munhu.” Izvi zvakaitika kuitira kuti mashoko akanga ataurwa naJesu achiratidza mafiro aaizoita azadziswe. Ipapo Pirato akadzokerazve mumuzinda, akadana Jesu uye akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati, “Kufunga kwako woga here kana kuti vamwe vataura newe pamusoro pangu?” Pirato akapindura achiti, “Ndiri muJudha here ini? Vanhu vako navaprista vako vakuru vauya newe kwandiri. Wakaiteiko?” Jesu akapindura akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai zvanga zvakadaro, varanda vangu vaizorwa kuti ndirege kusungwa navaJudha. Asi zvino umambo hwangu hunobva kune imwe nzvimbo.” Pirato akati, “Saka uri mamboka!” Jesu akapindura akati, “Wataura zvakanaka pawati ndiri mambo. Chokwadi ndechokuti, ndizvo zvandakazvarirwa, uye nokuda kwaizvozvo ndakauya munyika, kuti ndizopupurira chokwadi. Ani naani anoda chokwadi anonditeerera.” Pirato akamubvunza akati, “Chokwadi chiiko?” Akati ataura izvozvo akabudazve kunze kuvaJudha akati, “Handiwani hwaro hwemhosva yomurume uyu. Asi itsika yenyu imi kuti ini ndikusunungurirei musungwa panguva yePasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha?” Vakadanidzira vachiti, “Kwete, uyu! Tipei Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo. Ipapo Pirato akatora Jesu akaita kuti arohwe. Varwi vakaita korona yeminzwa vakaidzika pamusoro wake. Vakamupfekedza nguo dzepepuru vakaenda kwaari vaendazve vachiti, “Kwaziwai, mambo wavaJudha!” Uye vakamurova kumeso. Pirato akabuda akatizve kuvaJudha, “Tarirai, ndava kumuisa kwamuri kuti muzive kuti ndashaya mhosva paari.” Jesu akati abuda kunze akapfeka korona yeminzwa uye nenguo yepepuru, Pirato akati kwavari, “Hoyo munhu!” Vaprista vakuru navatariri vavo vakangoti vachimuona, vakadanidzira vachiti, “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!” Asi Pirato akapindura achiti, “Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari.” VaJudha vakasimbirira vachiti, “Isu tino murayiro, nomurayiro iwoyo, anofanira kufa, nokuti anozviti Mwanakomana waMwari.” Pirato akati anzwa izvi akanyanyisa kutya, uye akadzokerazve mumuzinda. Akasvikobvunza Jesu achiti, “Unobvepiko iwe?” Asi Jesu haana kupindura. Pirato akati, “Haudi kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura kana kukuroverera pamuchinjikwa?” Jesu akapindura akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu kana usina kuripiwa richibva kumusoro. Naizvozvo uyo andiisa kwauri ane mhosva yechivi chikuru.” Kubva ipapo zvichienda mberi, Pirato akaedza kusunungura Jesu, asi vaJudha vakaramba vachidanidzira vachiti, “Kana ukasunungura murume uyu, zvoreva kuti hausi shamwari yaKesari. Ani naani anozviti mambo anopikisana naKesari.” Pirato akati anzwa izvozvo, akabudisa Jesu kunze uye akagara pachigaro chokutonga panzvimbo inozivikanwa nokunzi: Pakarongwa Mabwe (nechiHebheru pachinzi Gabhata). Rakanga riri zuva rokugadzirira vhiki yePasika, awa inenge yechitanhatu. Pirato akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.” Asi vakadanidzira vachiti, “Endai naye! Endai naye! Murovererei!” Pirato akati, “Ndoroverera mambo wenyu here?” Vaprista vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mambo isu, asi Kesari.” Pakupedzisira Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe. Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHebheru). Ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navamwe vaviri, mumwe kuno rumwe rutivi nomumwe kuno rumwe rutivi uye Jesu ari pakati. Pirato akanyora chiziviso akachiisa pamuchinjikwa. Chaiva chakanyorwa kuti: JESU WENAZARETA, MAMBO WAVAJUDHA. VaJudha vazhinji vakaverenga zvakanga zvakanyorwa pachikwangwani ichi, nokuti nzvimbo yakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chikwangwani ichi chaiva chakanyorwa nechiHebheru, chiRatini uye nechiGiriki. Vaprista vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Musanyora kuti, ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, ‘Munhu uyu anozviti mambo wavaJudha.’ ” Pirato akapindura akati, “Zvandanyora, ndanyora.” Varwi vakati varoverera Jesu pamuchinjikwa, vakabvisa nguo dzake, vakadziita migove mina, mumwe chete kuno mumwe nomumwe wavo, nguo yomukati iriyo yakasara. Nguo iyi yakanga isina pakasonwa, yakangorukwa kubva kumusoro kusvika pasi. Vakataurirana vakati, “Ngatiregei kuibvarura. Ngatikandei mujenya tione kuti ndiani achaitora.” Izvi zvakaitika kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Vakagovana nguo yangu pakati pavo uye vakakanda mijenya pamusoro pechipfeko changu.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa navarwi. Pedyo nomuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, munun'una wamai vake, naMaria mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharena. Jesu akati aona mai vake ipapo, uye mudzidzi waaida amire pedyo navo, akati kuna mai vake, “Mai, hoyu mwanakomana wenyu,” uye kumudzidzi akati, “Ava mai vako.” Kubva pazuva iro zvichienda mberi, mudzidzi uyu akavatora akaenda navo kumba kwake. Shure kwaizvozvo, achiziva kuti zvose zvainge zvapera zvino, uye kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe, Jesu akati, “Ndava nenyota.” Pakanga pane mudziyo waiva nevhiniga ipapo, saka vakanyika chipanje imomo, vakaisa chipanje pachitanda chehisopi, vakachisimudzira kumuromo waJesu. Akati anwa Jesu akati, “Zvapera.” Nokudaro, akakotamisa musoro wake uye akabudisa mweya wake. Zvino rakanga riri zuva rokugadzirira, uye mangwana acho, rakanga riri zuva rakasanangurwa reSabata. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vasingadi kuti mitumbi isiyiwe iri pamuchinjikwa panguva yeSabata, vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhunwe uye kuti mitumbi ibviswe. Naizvozvo varwi vakauya vakavhuna makumbo omunhu wokutanga uyo akanga arovererwa pamwe chete naJesu, uye vakazovhuna omumwe wacho. Asi vakati vasvika pana Jesu uye vachiona kuti atofa, havana kuvhuna makumbo ake. Asi, mumwe murwi akamubaya nepfumo parutivi, ropa nemvura zvikabuda pakarepo. Murume akazviona ndiye akapa umboo, uye uchapupu hwake ndohwechokwadi. Anoziva kuti ari kutaura chokwadi, uye anopupura kuitira kuti nemiwo mutende. Zvinhu izvi zvakaitika kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Hakuna kana bvupa rake rimwe richavhunwa,” uye sezvinoreva rumwe Rugwaro runoti, “Vachatarisa iye wavakabaya.” Shure kwaizvozvo, Josefa weArimatea akakumbira Pirato kuti apiwe mutumbi waJesu. Zvino Josefa akanga ari mudzidzi waJesu, asi muchivande nokuti aitya vaJudha. Akati abvumirwa naPirato, akauya akatora mutumbi waJesu. Akanga achiperekedzwa naNikodhimo, murume uya akashanyira Jesu usiku. Nikodhimo akauya nezvakavenganiswa zvemura nearoesi, zvinenge makirogiramu makumi matatu namana. Vakatora mutumbi waJesu, vakauputira vari vaviri nomucheka pamwe chete nezvinonhuwira. Izvi zvaifambirana netsika dzokuviga dzavaJudha. Panzvimbo iyo pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa, paiva nebindu, uye mubindu imomo, maiva neguva idzva, rakanga risina munhu akamboradzikwamo. Nokuti rakanga riri zuva rokugadzirira ravaJudha, uye sezvo guva raiva pedyo, vakaradzika Jesu imomo. Mangwanani, pazuva rokutanga revhiki, kuchakasviba, Maria Magadharena akaenda kuguva uye akaona kuti ibwe rakanga rabviswa pamukova. Saka akauya achimhanya kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi, uya aidikanwa naJesu, akati, “Vabudisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuisa!” Saka Petro nomumwe mudzidzi vakabuda vakaenda kuguva. Vose vari vaviri vaimhanya, asi mumwe mudzidzi akamhanyisa kukunda Petro uye akatanga kusvika paguva. Akakotama akatarira mukati pamicheka yakanga iri pasi asi haana kupinda. Ipapo Simoni Petro, uyo akanga ari shure kwake, akasvikopinda muguva. Akaona micheka iri pasi, pamwe chete nomucheka wokuvigwa nawo wakanga uri mumusoro waJesu. Mucheka uyu wakanga wakapetwa uri woga, wakaparadzaniswa nomumwe mucheka. Pakupedzisira mumwe mudzidzi, uya akanga atanga kusvika paguva akapindawo. Akaona akatenda. (Vakanga vasati vanzwisisa kubva muRugwaro kuti Jesu aifanira kumuka kubva kuvakafa.) Ipapo vadzidzi vakadzokera kumusha kwavo, asi Maria akaramba amire kunze kweguva achichema. Achiri kuchema kudai, akakotama kuti atarire muguva akaona vatumwa vaviri vane nguo chena, vagere pakambenge pane mutumbi waJesu, mumwe kumusoro uye mumwe kumakumbo. Vakamubvunza vakati, “Mai, munochemeiko?” Akati, “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kuti vamuisepi.” Ipapo akatendeuka akatarira shure akaona Jesu amirepo, asi haana kuziva kuti akanga ari Jesu. Akati, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Maria achifunga kuti aiva muchengeti webindu, akati, “Ishe, kana mamutora, ndiudzei henyu kwamamuisa, uye ndichamutora.” Jesu akati kwaari, “Maria.” Akatendeukira kwaari akadanidzira nechiHebheru achiti, “Rabhi!” (kureva kuti Mudzidzisi). Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti handisati ndadzokera kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undovaudza kuti, ‘Ndiri kudzokera kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu, naMwari wenyu.’ ” Maria Magadharena akaenda kuvadzidzi akandovaudza kuti, “Ndaona Ishe!” Uye akavaudza kuti Jesu akanga areva zvinhu izvi kwaari. Madekwana ezuva rokutanga revhiki, vadzidzi pavakanga vari pamwe chete, mikova yakazarirwa nokuda kwokutya vaJudha, Jesu akauya akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!” Shure kwokutaura izvi, akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakafara zvikuru pavakaona Ishe. Jesu akatizve kwavari, “Rugare ngaruve kwamuri! Sezvo Baba vakandituma, ndiri kukutumaiwo.” Uye adaro akavafemera akati, “Gamuchirai Mweya Mutsvene. Kana muchiregerera ani zvake zvivi zvake, zvicharegererwa; kana musingavaregereri, havaregererwi.” Zvino Tomasi (ainzi Dhidhimo), mumwe wavane gumi navaviri, akanga asiri pana vamwe vadzidzi, Jesu paakauya. Saka vamwe vadzidzi vakamuudza vakati kwaari, “Taona Ishe!” Asi iye akati kwavari, “Kunze kwokunge ndaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye ndikaisa munwe wangu pakanga pane zvipikiri, uye ndikaisa ruoko rwangu parutivi rwake, handingatendi.” Vhiki yakati yapera, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi akanga anavo. Kunyange hazvo mikova yakanga yakapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!” Ipapo akati kuna Tomasi, “Isa munwe wako pano; ona maoko angu. Tambanudza ruoko rwako uise parutivi rwangu. Rega kukahadzika uye utende.” Tomasi akati kwaari, “Ishe wangu naMwari wangu!” Ipapo Jesu akati kwaari, “Nokuda kwokuti wandiona, zvino watenda; vakaropafadzwa avo vasina kuona asi vakatenda.” Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri. Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake. Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake, paGungwa reTibheriasi. Vakanga vakaungana ipapo vaiva vanaSimoni Petro, Tomasi (ainzi Dhidhimo), Natanieri aibva kuKana yeGarirea, vanakomana vaZebhedhi, pamwe chete navamwe vadzidzi vaviri. Petro akati kwavari, “Ndava kuenda kundoredza,” uye ivo vakati, “Nesuwo tichaenda newe.” Mangwanani-ngwanani, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti akanga ari Jesu. Akadanidzira kwavari akati, “Vana mune hove here?” Vakapindura vakati, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai mambure enyu kurutivi rworudyi rwegwa mugobata.” Vakati vaita izvozvo, vakasagona kukweva mambure nokuda kwokuwanda kwehove. Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, “NdiShe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti, “NdiShe,” akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura. Vamwe vadzidzi vakatevera vari mugwa, vachikweva mambure akanga azara nehove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe, asi makubhiti anenge mazana maviria. Vakati vasvika kumahombekombe, vakaona moto wamazimbe uchipfuta une hove pamusoro pawo, uye nechingwa. Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamuchangobva mukubata.” Simoni Petro akakwira mugwa akakwevera mambure kumahombe kombe. Akanga azere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu, asi kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda, mambure haana kubvaruka. Jesu akati kwavari, “Uyai mudye.” Hapana kana mudzidzi mumwe chete akabvunza kuti, “Ndimi aniko?” Vakaziva kuti ainge ari Ishe. Jesu akauya, akatora chingwa akavapa, akaita saizvozvo nehovewo. Uku kwakava kuzviratidza kwaJesu kuvadzidzi vake kwechitatu shure kwokumuka kwake kuvakafa. Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” Akati, “Hongu, Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwayana angu.” Jesu akatizve, “Simoni, mwanakomana waJohani unondida zvechokwadi here?” Akapindura akati, “Hongu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Chengeta makwai angu.” Akatizve kwaari kechitatu, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Petro akarwadziwa nokuti Jesu akanga amubvunza kechitatu achiti, “Unondida here?” Akati, “Ishe, imi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwai angu. Ndinokuudza chokwadi kuti, zvawakanga uchiri muduku waizvipfekedza uye uchienda kwaunoda; asi kana wakura, uchatambanudza maoko ako, uye mumwe zvake achakufukidza agokutungamirira kwausingadi kuenda.” Jesu akataura izvi achiratidza mafiro aizoita Petro achikudza Mwari. Ipapo akati kwaari, “Nditevere!” Petro akacheuka akaona mudzidzi uya aidikanwa naJesu achivatevera. (Ndiye uya akanga akasendamira pana Jesu panguva yechirariro uye akanga ati, “Ishe ndianiko achakupandukirai?”) Petro akati achimuona, akabvunza akati, “Ishe, ko, uyuwo?” Jesu akapindura akati, “Kana ndichida kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe? Unofanira kunditevera iwe.” Nokuda kwaizvozvo, shoko rakapararira pakati pehama kuti mudzidzi uyu haaizofa. Asi Jesu haana kureva izvozvo kuti haaizofa; akangoti, “Kana ndichida hangu kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe?” Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvinhu izvi, uye akazvinyora. Tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi. Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvose zvainyorwa, ndinoti kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa. Mubhuku rangu rokutanga, Teofiro, ndakanyora pamusoro pezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu kusvikira pazuva raakakwidzwa kudenga, shure kwokunge arayira, kubudikidza noMweya Mutsvene, vapostori vaakanga asarudza. Shure kwokutambudzika kwake, akazviratidza kuvanhu ava akaratidza zviratidzo zvizhinji zvokuti iye akanga ari mupenyu. Akaonekwa navo mazuva anopfuura makumi mana uye akataura nezvoumambo hwaMwari. Pane imwe nguva, paakanga achidya navo, akavapa kurayira uku akati, “Musabva muJerusarema, asi mumirire chipo chakavimbiswa naBaba vangu, icho chamakandinzwa ndichitaura pamusoro pacho. Nokuti Johani akabhabhatidza nemvura, asi mushure mamazuva mashoma muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.” Saka vakati vaungana pamwe chete, vakamubvunza vakati, “Ishe, mava kuzodzosera ushe kuvaIsraeri panguva ino here?” Akati kwavari, “Hazvizi kwamuri kuti muzive nguva kana musi wakatarwa naBaba nesimba ravo pachavo. Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, uye kusvikira kumigumo yenyika.” Shure kwokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona. Vakanga vakatarisisa paakanga achikwira kudenga, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari. Vakati kwavari, “Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga.” Ipapo vakadzokera kuJerusarema vachibva kugomo rinonzi reMiorivhi, rwendo rwezuva reSabata uchibva kuguta. Vakati vasvika, vakakwira kuimba yapamusoro kukamuri ravaigara. Vakanga varipo vaiti, Petro, Johani, Jakobho naAndirea; Firipi naTomasi, Bhatoromeo naMateo; Jakobho mwanakomana waArifiasi naSimoni muZeroti, uye naJudhasi mwanakomana waJakobho. Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanun'una vake. Mumazuva iwayo, Petro akasimuka pakati pavatendi (ungano yaida kusvika zana namakumi maviri) uye akati, “Hama, Rugwaro rwaifanira kuzadziswa rwakataurwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, uyo akabatsira kutungamirira vaya vakasunga Jesu, akanga ari mumwe wedu uye akanga ano mugove muushumiri uhu.” (Nomubayiro waakawana nokuda kwokuipa kwake, Judhasi akatenga munda; imomo ndimo maakawira pasi nomusoro, muviri wake ukaputika uye ura hwake hukabuda. Munhu wose akanzwa nezvazvo muJerusarema, saka vakatumidza munda uya nomutauro wavo kuti Akeridhama, ndiko kuti, Munda weRopa.) Petro akati, “Nokuti kwakanyorwa mubhuku raMapisarema kuti, “ ‘Musha wake ngauve dongo; ngakurege kuva nomunhu anogaramo,’ uye kuti, “ ‘Mumwe ngaatore nzvimbo yake youtungamiriri.’ Naizvozvo zvakafanira kuti kusarudzwe mumwe murume akanga anesu nguva yose Ishe Jesu yaaipinda nokubuda pakati pedu, kutanga parubhabhatidzo rwaJohani kusvikira panguva yakabviswa Jesu kwatiri. Nokuti mumwe waava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake, pamwe chete nesu.” Saka vakasarudza varume vaviri vaiti: Josefa ainzi Bhanabhasi (aizivikanwawo nokunzi Jasitasi) naMatiasi. Ipapo vakanyengetera vachiti, “Ishe, munoziva mwoyo yavanhu vose. Tiratidzei pakati pavaviri ava wamasarudza kuti atore basa iri roupostori, rakasiyiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yake.” Ipapo vakakanda mijenya, uye mujenya ukawira kuna Matiasi; saka akawedzerwa kuvapostori vane gumi nomumwe. Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga uye kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzikamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya. Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga. Vakati vanzwa mutinhiro uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurumi rwake chairwo. Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura? Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo? VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara Mesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia, Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!” Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?” Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.” Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira, kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu. Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai! Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti, “ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope. Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita. Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa nomoto uye mhute youtsi. Zuva richashanduka rikava rima, uye mwedzi uchashanduka ukava ropa, zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika. Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’ “Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu. Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate. Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “ ‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa; uyezve muviri wangu uchararama netariro, nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. Makandizivisa nzira dzoupenyu; muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’ “Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi. Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe. Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora. Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho. Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.”’ “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.” Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?” Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene. Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.” Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.” Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo. Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera. Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori. Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose. Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakazvipa kuna ani naani aishayiwa. Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa. Rimwe zuva Petro naJohani vakanga vachikwira kuenda kutemberi nenguva yokunyengetera, panguva yechitatu yamasikati. Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi. Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari. Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!” Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo. Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.” Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba. Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetukasvetuka, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari, vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari. Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni. Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi vaIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu? Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho, Mwari wamadzibaba edu, akudza muranda wake Jesu. Makamuendesa kundourayiwa, uye imi makamuramba pamberi paPirato, kunyange akanga afunga kumuregedza hake. Makaramba iye Mutsvene naiye Akarurama Oga uye mukakumbira kuti mhondi isunungurwe. Makauraya muvambi woupenyu, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi. Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose. “Zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makaita nokusaziva sezvakangoitawo vatungamiri venyu. Asi ndiwo mazadzisiro akaita Mwari zvaakataura kare kubudikidza navaprofita vose, achitaura kuti Kristu wake aizotambudzika. Tendeukai zvino, uye mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kuna She dzisvike uye kuti atume Kristu, iye akagadzwa nokuda kwenyu iye Jesu. Anofanira kumboramba ari kudenga kusvikira nguva yokuti Mwari avandudze zvinhu zvose yasvika, sezvaakavimbisa kare kare kubudikidza navaprofita vake vatsvene. Nokuti Mozisi akati, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akafanana neni kubva pakati pavanhu venyu chaivo; munofanira kuteerera zvose zvaanokuudzai. Ani naani zvake asingamuteereri achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu vokwake.’ “Zvirokwazvo, vaprofita vose kubva kuna Samueri zvichienda mberi, vazhinji vavo vakataura, vakaprofita nezvamazuva ano. Imi muri vadyi venhaka yavaprofita neyesungano yakaitwa naMwari namadzibaba enyu. Akati kuna Abhurahama, ‘Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.’ Mwari akati amutsa muranda wake, akatanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei nokukutendeutsai mumwe nomumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzakaipa.” Vaprista nomukuru wavarindi vetemberi navaSadhusi vakauya kuna Petro naJohani pavakanga vachiri kutaura navanhu. Vakakanganisika zvikuru nokuti vapostori vakanga vachidzidzisa vanhu uye vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. Vakabata Petro naJohani, uye nokuda kwokuti aiva manheru, vakavaisa mujeri kusvikira zuva raitevera. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu. Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema. Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo. Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?” Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu, kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei, zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai. Ndiye “ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki, rakazova musoro wekona.’ Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.” Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu. Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura. Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ipapo vakasara vachitaurirana. Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba. Asi kuti chinhu ichi chirege kuramba chichipararira pakati pavanhu, tinofanira kuyambira varume ava kuti varege kutaura kuna ani zvake muzita iri.” Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu. Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari. Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.” Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavatonga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika. Nokuti murume akanga aporeswa akanga ana makore anodarika makumi mana. Vakati vasunungurwa, Petro naJohani vakadzokera kuvanhu vokwavo vakandovaudza zvose zvakanga zvarehwa navaprista vakuru navakuru. Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo. Makataura noMweya Mutsvene kubudikidza nomuromo womuranda wenyu, baba vedu Dhavhidhi, muchiti: “ ‘Ndudzi dzinoitireko hasha uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuzorwa naIshe uye noMuzodziwa Wake.’ Zvirokwazvo Herodhi naPondiasi Pirato vakaungana pamwe chete navaHedheni uye navanhu veIsraeri muguta rino kuzorangana kurwisa Jesu muranda wenyu mutsvene, iye wamakazodza. Vakaita zvakanga zvatongwa nesimba renyu uye nokuda kwenyu kuti zvichaitika. Zvino, Ishe, tarirai kutyisidzira kwavo mugobatsira varanda venyu kuti vataure shoko renyu nokushinga kukuru. Tambanudzai ruoko rwenyu kuti muporese uye muite zviratidzo nezvishamiso kubudikidza nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.” Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi. Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo. Vapostori vakaramba vachipupura nesimba kumuka kwaIshe Jesu, uye nyasha huru dzaiva pamusoro pavo. Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa vakazviisa pamberi pavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake. Josefa, muRevhi aibva kuSaipurasi, uyo akatumidzwa navapostori kunzi Bhanabhasi (kureva kuti Mwanakomana woKukurudzira), akatengesa munda wake akauya nemari akaiisa pamberi pavapostori. Zvino mumwe murume ainzi Ananiasi, pamwe chete nomukadzi wake Safira, akatengesawo chikamu chepfuma yake. Mukadzi wake achinyatsozvizivawo, akazvikamurira chimwe chikamu chemari, asi yakasara akauya nayo akaiisa pamberi pavapostori. Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda? Ko, wakanga usiri wako here usati watengeswa? Uye shure kwokunge wautengesa, mari yakanga isiri yako here? Chiiko chakaita kuti ufunge kuita chinhu chakadai? Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari.” Ananiasi akati anzwa izvi, akawira pasi akabva afa. Uye kutya kukuru kwakabata vose vakanga vanzwa zvakanga zvaitika. Ipapo majaya akaswedera, akaputira muviri wake, akamutakura akaenda naye kunze vakandomuviga. Shure kwamaawa anenge matatu mukadzi wake akasvikopinda, asingazivi zvakanga zvaitika. Petro akamubvunza akati, “Ndiudze, uyu ndiwo here mutengo wamakawana, iwe naAnaniasi, pamunda?” Iye akati, “Hongu, ndiwoyu mutengo.” Petro akati kwaari, “Matenderana seiko kuti muedze Mweya waShe? Tarira! Tsoka dzamajaya aviga murume wako dziri pamukova, uye vachakutakura newewo.” Pakarepo akawira pasi, patsoka dzake akabva afa. Ipapo majaya akapinda uye akamuwana afa, akamutakura akaenda naye kunze akandomuviga parutivi rwomurume wake. Kutya kukuru kwakabata kereke yose navose vakanzwa zvinhu izvi. Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni. Hakuna munhu akatsunga kubatana navo kunyange zvazvo vakanga vachikudzwa zvikuru navanhu. Zvisinei hazvo, varume vazhinji navakadzi vakatenda kuna She uye ivo vakawedzera uwandu. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro ungawira pana vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari. Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa. Ipapo muprista mukuru navamwe vose vaaiva navo, avo vakanga vari nhengo dzebato ravaSadhusi, vakazadzwa negodo. Vakasunga vapostori vakavaisa mujeri. Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa, akati, “Endai, munoudza pamavazhe etemberi, mundoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.” Vakapinda mutemberi mangwanani, sezvavakanga vaudzwa, vakatanga kudzidzisa vanhu. Muprista mukuru navamwe vake vakati vasvika, vakaunganidza Dare Guru ramakurukota, ungano yose yavakuru, vakatumira vanhu kuti vandotora vapostori kujeri. Asi vabati vakati vasvika pajeri, vakawana vasimo. Saka vakadzokera vakandoti, “Tawana jeri rakanyatsozarirwa, navarindi vamire pamikova; asi patazarura, hatina kuwana munhu mukati.” Vakati vanzwa chiziviso ichi, mukuru wavarindi vetemberi navaprista vakuru vakakanganisika, vachishaya kuti chii chaizoitika. Ipapo mumwe munhu akasvika akati, “Tarirai! Varume vamakaisa mujeri vamire mutemberi vachidzidzisa vanhu.” Paakazvinzwa, mukuru wavarindi akabva aenda navabati vake akandouya navapostori. Havana kuzviita nokumanikidza, nokuti vaitya kuti vanhu vangavatake namabwe. Vakati vauya navapostori, vakavamisa pamberi peDare Guru kuti vabvunzwe nomuprista mukuru. Akati, “Takakurayirai, zvakasimba kuti murege kudzidzisa muzita iri. Asi mazadza Jerusarema rose nedzidziso yenyu uye munoda kuti tive nemhosva yeropa romurume uyu.” Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu! Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu kubva kuvakafa uyo wamakaita kuti aurayiwe nokumuturika pamuti. Mwari akamusimudzira kuruoko rwake rworudyi soMuchinda noMuponesi kuti ape kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuvaIsraeri. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi, uyewo noMweya Mutsvene wakapiwa naMwari kuna avo vanomuteerera.” Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa uye vakada kuvauraya. Asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, uyo aikudzwa navanhu vose, akasimuka pakati pedare akarayira kuti vanhu vambobudiswa panze kwechinguvana. Ipapo akati kwavari, “Imi vaIsraeri, nyatsofungai pamusoro pezvamuri kuda kuita kuvanhu ava. Munguva yakapfuura, kwakambova, naTudhasi aizviti iye munhu mukuru, uye varume vanenge mazana mana vakamutevera. Akaurayiwa, vose vaimutevera vakaparadzirwa, uye zvikaguma zvava pasina. Shure kwake, Judhasi weGarirea akambovapowo pamazuva okuverengwa akatungamirira boka ravanhu mune zvokupanduka. Naiyewo akaurayiwa, uye vose vaimutevera vakaparadzirwa. Naizvozvo, panyaya iyi ndinokurayirai kuti: Regai vanhu ava vakadaro! Regai vaende! Nokuti kana kufunga kwavo kuri kwomunhu, kuchaguma. Asi kana kuchibva kuna Mwari, hamungagoni kukonesa vanhu ava; muchazoona kuti muri kurwa naMwari.” Kutaura kwake kwakavadzikamisa. Vakadana vapostori kuti vapinde vakaita kuti varohwe. Ipapo vakavarayira kuti varege kutaura muzita raJesu, uye vakavaregedza. Vapostori vakabva paDare Guru, vachifara nokuda kwokuti vakanga vanzi vakafanirwa nokutambudzika nokuzvidzwa nokuda kweZita iri. Zuva rimwe nerimwe havana kumborega kudzidzisa nokuparidza shoko rakanaka vari mutemberi nomudzimba nedzimba kuti Jesu ndiye Kristu. Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagunun'una pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose. Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura. Hama, sarudzai varume vanomwe pakati penyu vanozivikanwa kuti vakazadzwa noMweya nouchenjeri. Isu tichaisa basa iri kwavari, uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.” Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokoro, Nikano, Timoni, Paminasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha. Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo. Saka shoko raMwari rakapararira. Vadzidzi vakawanda kwazvo paJerusarema, uye boka guru ravaprista rakagamuchira kutenda. Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu. Kusapindirana kwakamuka, kuchibva kunhengo dzeSinagoge roVokusununguka (ndiro raiva zita ravo), vaJudha vokuSairini nokuArekizandiria pamwe chete namatunhu eKirikia neEzhia. Varume ava vakatanga kukakavadzana naSitefani, asi havana kugona kukunda uchenjeri hwake kana Mweya waaitaura nawo. Ipapo vakakurudzira vamwe varume muchivande kuti vati, “Tanzwa Sitefani achitaura mashoko okumhura Mozisi naMwari.” Nokudaro vakamutsa mwoyo yavanhu navakuru uye navadzidzisi vomurayiro. Vakabata Sitefani vakamuuyisa pamberi peDare Guru. Vakabudisa zvapupu zvenhema, zvikati, “Munhu uyu haamboregi kutaura zvakaipa pamusoro penzvimbo tsvene ino uye napamusoro pomurayiro. Nokuti takamunzwa achiti Jesu uyu weNazareta achaparadza nzvimbo ino uye agoshandura tsika dzatakapiwa naMozisi.” Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani uye vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa. Ipapo muprista mukuru akamubvunza akati, “Izvi zvauri kupomerwa ndezvechokwadi here?” Iye akapindura achiti, “Hama dzangu nemi madzibaba, nditeererei! Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahama paakanga achiri kuMesopotamia, asati agara muHarani. Mwari akati kwaari, ‘Ibva munyika yako nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’ “Saka akabva munyika yavaKaradhea akandogara muHarani. Shure kwokufa kwababa vake, Mwari akamutuma munyika ino yamugere zvino. Haana nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake. Asi Mwari akamuvimbisa kuti iye nezvizvarwa zvake zvaimutevera vaizotora nyika ino, kunyange panguva iyoyo Abhurahama akanga asina mwana. Mwari akataura naye achiti, ‘Zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isiri yavo, uye vachaitwa varanda vagotambudzwa kwamakore mazana mana. Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa,’ ndizvo zvakataurwa naMwari, ‘uye shure kwaizvozvo vachabuda munyika iyoyo vagondishumira panzvimbo ino.’ Ipapo akapa Abhurahama sungano yokudzingiswa. Abhurahama akabereka Isaka akamudzingisa zuva rorusere shure kwokuberekwa kwake. Shure kwaizvozvo Isaka akabereka Jakobho, uye Jakobho akabereka madzitateguru ane gumi navaviri. “Nokuti madzitateguru akaitira godo Josefa, vakamutengesa senhapwa kuIjipiti. Asi Mwari akanga anaye akamununura kubva pamatambudziko ake ose. Akapa Josefa uchenjeri uye akaita kuti adikanwe naFaro mambo weIjipiti; saka akamuita mutongi weIjipiti nomuzinda wake wose. “Zvino nzara yakasvika muIjipiti yose neKenani, kukava nokutambudzika kukuru, uye madzibaba edu akashayiwa zvokudya. Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akatuma madzibaba edu parwendo rwavo rwokutanga. Parwendo rwavo rwechipiri, Josefa akaudza madzikoma ake kuti iye aiva ani uye Faro akanzwa nezvemhuri yaJosefa. Shure kwaizvozvo, Josefa akatuma shoko kuti baba vake Jakobho, nemhuri yavo yose, vanhu makumi manomwe navashanu pamwe chete, vauye. Ipapo Jakobho akaburuka akaenda kuIjipiti, uko kwaakandofira iye namadzibaba edu. Mitumbi yavo yakatakurwa ikaendeswa kuShekemu vakavigwa muguva rakanga ratengwa naAbhurahama kubva kuvanakomana vaHamori, paShekemu, nomutengo wemari yakati kuti. “Nguva yakati yaswedera yokuti Mwari azadzise chipikirwa chake kuna Abhurahama, uwandu hwavanhu vedu muIjipiti hwakawedzerwa zvikuru. Ipapo mumwe mambo, akanga asingazivi nezvaJosefa, akava mutongi weIjipiti. Akabata vanhu vedu zvakaipa akadzvinyirira madzitateguru edu achivamanikidza kuti varase vana vachangoberekwa kuitira kuti vagofa. “Panguva iyoyo Mozisi akaberekwa, uye akanga asiri mwanawo zvake. Akachengetwa mumba mababa vake kwemwedzi mitatu. Paakasiyiwa kunze, mwanasikana waFaro akamutora akamurera somwanakomana wake. Mozisi akadzidziswa uchenjeri hwose hweIjipiti uye aigona kwazvo kutaura nokuita zvinhu. “Mozisi paakanga ava namakore makumi mana okuberekwa, akafunga zvokundoshanyira hama dzake ivo vaIsraeri. Akaona mumwe wavo achitambudzwa nomuIjipita, saka akasvika akamurwira akatsiva nokuuraya muIjipita uya. Mozisi akafunga kuti vanhu vake vachaziva kuti Mwari ainge achimushandisa kuti avanunure, asi ivo havana kuzviziva. Fume mangwana Mozisi akasvikowana vaIsraeri vaviri vachirwa. Akaedza kuvayananisa achiti, ‘Varume, muri hama imi; munodireiko kukuvadzana?’ “Asi munhu uya akanga achitambudza mumwe akasundudzira Mozisi padivi akati, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu? Unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nezuro?’ Mozisi paakanzwa izvozvo, akatiza akaenda kuMidhiani, uko kwaakandogara ari mutorwa uye akabereka vanakomana vaviri. “Makore makumi mana akati apfuura, mutumwa akazviratidza kuna Mozisi ari mumurazvo womoto mugwenzi, mugwenga raiva pedyo neGomo reSinai. Paakaona chinhu ichi, akashamiswa nezvaakaona. Akati achiswedera kuti anyatsoona, akanzwa inzwi raIshe richiti, ‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho.’ Mozisi akadedera nokutya akatadza kana kutarisa. “Ipapo Jehovha akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako; nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene. Zvirokwazvo ndaona kudzvinyirirwa kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo, saka ndaburuka kuti ndizovasunungura. Zvino uya, ndinoda kukutuma udzokere kuIjipiti.’ “Ndiye Mozisi uya wavakanga varamba namashoko okuti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?’ Ndiye akatumwa naMwari pachake kuti ave mubati nomusununguri wavo, kubudikidza nomutumwa akazviratidza kwaari mugwenzi. Ndiye akavabudisa muIjipiti uye akaita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti, paGungwa Dzvuku uye kwamakore makumi mana murenje. “Ndiye Mozisi uya akaudza vaIsraeri kuti, ‘Mwari achakutumirai muprofita akaita seni anobva muvanhu venyu chaivo.’ Akanga ari muungano yaiva murenje, pamwe chete nomutumwa akataura kwaari paGomo reSinai, uye namadzibaba edu; uye akagamuchira mashoko mapenyu kuti azoasvitsa kwatiri. “Asi madzibaba edu akaramba kumuteerera. Vakamuramba uye mumwoyo yavo vakadzokerazve kuIjipiti. Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari Mozisi uyu akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakamuwira! Ndiyo nguva yavakaumba chifananidzo chakaita semhuru. Vakauya nezvibayiro kwachiri vakachipemberera vachikudza chinhu chakaitwa namaoko avo. Asi Mwari akavafuratira akavasiya kuti vanamate hondo dzokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku ravaprofita zvichinzi: “ ‘Makandivigira zvibayiro nezvipo makore makumi mana murenje here, imi imba yaIsraeri? Makatakura tabhenakeri yaMoreki nenyeredzi yamwari wenyu Refani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate. Naizvozvo ndichakuendesai kuutapwa,’ mberi kweBhabhironi. “Madzitateguru edu akanga ane tabhenakeri yeChipupuriro pakati pavo murenje. Yakanga yakagadzirwa sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naMwari, maererano nomufananidzo waakanga aona. Vakagamuchira tabhenakeri, vachitungamirirwa naJoshua, madzibaba edu akauya pamwe chete nayo paya pavakatora nyika kubva kundudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naMwari. Tabhenakeri yakagara munyika iyo kusvikira panguva yaDhavhidhi, uyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara. Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba. “Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti: “ ‘Denga ndicho chigaro changu choushe uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu. Ko, muchandivakira imba yakaita sei? ndizvo zvinotaura Ishe. Kana kuti nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko? Ko, ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?’ “Imi vanhu vemitsipa mikukutu, vane mwoyo nenzeve dzisina kudzingiswa! Makangoita samadzibaba enyu: Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene! Kwakambova nomuprofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu here? Vakauraya kunyange vaya vakaprofita kuuya kwaIye Oga Akarurama. Uye zvino makamupandukira mukamuuraya, iyemi makagamuchira murayiro wamakapiwa kubudikidza navatumwa, asi musina kuuteerera.” Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa zvikuru uye vakamurumanyira meno avo. Asi Sitefani, azere noMweya Mutsvene, akatarisa kudenga akaona kubwinya kwaMwari, uye Jesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari. Akati, “Tarirai, ndinoona denga razaruka uye Mwanakomana woMunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” Pavakanzwa izvi vakadzivira nzeve dzavo vakamhanyira kwaari vose, vachidanidzira namanzwi ari pamusoro-soro, vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta vakatanga kumutaka namabwe. Uye, vaya vaiva zvapupu vakandoisa nguo dzavo patsoka dzejaya rainzi Sauro. Vachiri kumutaka namabwe, Sitefani akanyengetera, akati, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” Ipapo akapfugama namabvi ake akadanidzira achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati ataura izvi, akavata. Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yapaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria. Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru. Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo. Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda. Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko. Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura. Nokuti, mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa. Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro. Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita un'anga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru, uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba Guru raMwari.” Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake. Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi. Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona. Vapostori vaiva muJerusarema vakati vanzwa kuti vaSamaria vagamuchira shoko raMwari, vakatumira Petro naJohani kwavari. Vakati vasvika, vakavanyengeterera kuti vagamuchire Mweya Mutsvene, nokuti Mweya Mutsvene akanga asati auya pamusoro paani zvake wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Ipapo Petro naJohani vakaisa maoko pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene. Simoni akati aona kuti Mweya Mutsvene waipiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akavapa mari akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.” Petro akapindura akati, “Mari yako ngaiparare pamwe chete newe, nokuti wakafunga kuti ungatenga chipo chaMwari nemari! Iwe hauna chikamu kana mugove muushumiri uhu, nokuti mwoyo wako hauna kunaka pamberi paMwari. Tendeuka ubve pakuipa uku uye unyengetere kuna She. Zvimwe achakukanganwira pakuva nepfungwa yakadai mumwoyo mako. Nokuti ndinoona kuti iwe uzere nduru inovava uye wakasungwa nechivi.” Ipapo Simoni akapindura akati, “Ndinyengetererei kuna She kuti zvose zvamataura zvirege kuitika kwandiri.” Vakati vapupura nokuparidza shoko raShe, Petro naJohani vakadzokera kuJerusarema, vachiparidza vhangeri mumisha yakawanda yomuSamaria. Zvino mutumwa waShe akati kuna Firipi, “Buruka uende zasi kumugwagwa, wokugwenga, unoburuka uchibva kuJerusarema uchienda kuGaza.” Saka akasimuka, uye ari munzira akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema, uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita. Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.” Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murumwe uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?” Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro uye agare nayemo. Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake. Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa. Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake? Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.” Muyunaki uyu akabvunza Firipi akati, “Ndapota, ndiudze, muprofita ari kutaura pamusoro paaniko, anozvireva iye kana mumwe munhuwo?” Ipapo Firipi akatanga nechitsauko ichocho choRugwaro akamuparidzira vhangeri raJesu. Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?” Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.” Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza. Vakati vabuda mumvura, Mweya waShe wakatora Firipi pakarepo, uye muyunaki haana kuzomuonazve, asi akafamba munzira yake achifara kwazvo. Zvakadaro hazvo, Firipi akazoonekwa paAzotasi uye akafamba achiparidza vhangeri mumaguta ose kusvikira asvika kuKesaria. Zvichakadaro Sauro akanga ari mubishi rokutaura zvokuuraya vadzidzi vaShe. Akaenda kumuprista mukuru akandomukumbira matsamba kuti agoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake ari weNzira iyo, vangava varume kana vakadzi, iye aizovabata savasungwa agoenda navo kuJerusarema. Akati oswedera kuDhamasiko ari parwendo rwake, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikamupenyera kumativi ose. Akawira pasi akanzwa inzwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” Sauro akabvunza akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Iye akapindura akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza. Zvino simuka uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.” Varume vaifamba naSauro vakamira vakashaya chokutaura; vakanzwa inzwi asi havana kuona kana munhu. Sauro akasimuka, asi akati achisvinudza meso ake haana kugona kuona chinhu. Saka vakamubata ruoko vakamutungamirira kupinda muDhamasiko. Akava bofu kwamazuva matatu, uye akanga asingadyi kana kunwa kana chinhu. MuDhamasiko makanga muno mudzidzi ainzi Ananiasi. Ishe akati kwaari muchiratidzo, “Ananiasi!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano Ishe.” Ishe akati kwaari, “Enda kumba kwaJudhasi panzira inonzi Nzira Yakarurama undobvunza murume anonzi Sauro anobva kuTasasi, nokuti ari kunyengetera. Akaona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achiuya kwaari akaisa maoko ake pamusoro pake kuti aonezve.” Ananiasi akapindura akati, “Ishe, ndakanzwa mashoko akawanda pamusoro pomurume uyu, uye zvakaipa zvose zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema. Uye akauya kuno nemvumo yakabva kuvaprista vakuru yokuti asunge vose vanodana kuzita renyu.” Asi Ishe akati kuna Ananiasi, “Enda! Murume uyu mudziyo wangu wandakasanangura kuti aende nezita rangu pamberi pavahedheni napamberi pamadzimambo avo uye napamberi paIsraeri. Ndichamuratidza kuti anofanira kutambudzika sei nokuda kwezita rangu.” Ipapo Ananiasi akaenda kuimba iyi akasvikopindamo. Akaisa maoko ake pamusoro paSauro akati, “Muzvarwa Sauro, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri pamugwagwa pawakanga uchiuya kuno, andituma kuti iwe uonezve uye uzadzwe noMweya Mutsvene.” Pakarepo, chinhu chakaita samakwati chakabva pameso aSauro, akagona kuonazve. Akasimuka akabhabhatidzwa, uye shure kwokunge adya zvokudya, akavazve nesimba. Sauro akagara navadzidzi paDhamasiko kwamazuva mazhinji. Pakarepo akatanga kuparidza musinagoge kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Vose vakamunzwa vakakatyamara vakati, “Ko, haazi iye here akamutsa bongozozo muJerusarema pakati paavo vanodana kuzita iri? Uye haana kuuya kuno kuzovabata savasungwa kuti avaendese kuvaprista vakuru here?” Asi Sauro akanyanya kuva nesimba akakunda vaJudha vaigara muDhamasiko achivaratidza kuti Jesu ndiye Kristu. Mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kumuuraya, asi Sauro akanzwa nezverangano yavo. Vakarinda masuo eguta masikati nousiku vachiitira kuti vagomuuraya. Asi vateveri vake vakamutora usiku vakamuburutsa ari mudengu napakanga pakashama murusvingo. Akati asvika kuJerusarema akaedza kuti abatane navadzidzi, asi vose vakanga vachimutya, vasingatendi kuti akanga ava mudzidzi wechokwadi. Asi Bhanabhasi akamutora akamuuyisa kuvapostori. Akavaudza kuti Sauro akanga aona Ishe sei ari parwendo rwake uye kuti muDhamasiko Ishe akanga ataura kwaari, uyewo kuti akaparidza sei muzita raJesu asingatyi. Saka Sauro akagara navo muJerusarema akasununguka, achitaura muzita raIshe uye akafamba asingatyi. Akataura uye akapikisana navaJudha vaitaura chiGiriki, asi vakaedza kumuuraya. Zvino hama dzakati dzazvinzwa izvi, dzakamutora dzikaburuka naye kuKesaria ndokumuendesa kuTasasi. Ipapo kereke yakava norugare muJudhea mose, nomuGarirea neSamaria. Kereke yakasimbiswa; uye ikakurudzirwa naMweya Mutsvene, ikakura pauwandu, ichirarama mukutya Ishe. Petro paakanga achifamba achipota nenyika, akashanyira vatsvene muRidha. Ikoko, akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga akaoma mutezo uye akanga achigara avete panhoo kwamakore masere. Petro akati kwaari, “Eniasi, Jesu Kristu anokuporesa. Simuka uzviwaririre nhoo dzako.” Pakarepo Eniasi akasimuka. Vose vaigara muRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna She. MuJopa maiva nomudzidzi ainzi Tabhita (kana zvichishandurwa, Dhokasi), aiita zvakanaka nguva dzose uye achibatsira varombo. Nenguva inenge saiyoyo akatanga kurwara ndokubva afa, mutumbi wake ukashambidzwa uye ukaiswa muimba yapamusoro. Ridha yakanga iri pedyo neJopa; saka vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro akanga ari muRidha, vakatuma varume vaviri kwaari kuti vandomukumbira vachiti, “Tapota, uyai nokukurumidza!” Petro akaenda navo, uye akati asvika, vakamutora vakaenda naye muimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira dzakamupoteredza, dzichichema dzichimuratidza majasi nedzimwe nguo dzakanga dzaitwa naDhokasi panguva yaakanga achinavo. Petro akavabudisa vose mumba; ipapo akapfugama namabvi ake akanyengetera. Akatendeukira kumukadzi akanga afa akati, “Tabhita, muka.” Iye akasvinura meso ake, uye akati aona Petro, akamuka akagara. Akamubata noruoko akamubatsira kuti amire netsoka dzake. Ipapo akadana vatendi nechirikadzi ndokubva amupa kwavari ari mupenyu. Izvi zvakazivikanwa muJopa yose, uye vanhu vazhinji vakatenda kuna She. Petro akambogara muJopa kwechinguva nomusuki wamatehwe ainzi Simoni. PaKesaria pakanga pano mumwe murume ainzi Koniriasi, mukuru wezana weHondo yavaItaria. Iye nemhuri yake vakanga vakazvipira uye vaitya Mwari; aipa kwazvo kuna vanoshayiwa uye ainyengetera kuna Mwari nguva dzose. Mumwe musi panguva inenge yechitatu masikati akaona chiratidzo. Akanyatsoona mutumwa waMwari, uyo akauya kwaari akati, “Koniriasi!” Koniriasi akatarisa kwaari achitya, akati, “Chinyiko, Ishe?” Mutumwa akapindura akati, “Minyengetero yako nezvipo zvako kuvarombo zvakwira kudenga sechipiriso chechirangaridzo pamberi paMwari. Zvino tuma vanhu kuJopa vandodana murume anonzi Simoni, achinziwo Petro. Ari kugara naSimoni musuki wamatehwe, ane imba iri pedyo negungwa.” Mutumwa waakanga achitaura naye akati aenda, Koniriasi akadana varanda vake vaviri nomumwe murwi akatendeka uyo aiva mumwe wavachengeti vake. Akavarondedzera zvose zvakanga zvaitika ndokuvatuma kuJopa. Nenguva dzinenge dzamasikati dzezuva raitevera, vachiri parwendo rwavo, uye voswedera pedyo neguta, Petro akakwira pamusoro pedenga reimba kundonyengetera. Akanzwa nzara uye akada zvokudya, uye zvokudya zvakati zvichigadzirwa, akaona chiratidzo. Akaona denga razarurwa uye chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru chichiburutswa pasi chakasungwa makona acho mana. Chakanga chine mhando dzose dzemhuka dzina makumbo mana, pamwe chete nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga. Ipapo inzwi rakati kwaari, “Simuka, Petro. Baya udye.” Petro akapindura akati, “Zvirokwazvo kwete, Ishe! Handina kutongodya chinhu chisina kunaka kana chine tsvina.” Inzwi rakataurazve kwaari kechipiri richiti, “Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari chine tsvina.” Izvi zvakaitika katatu, pakarepo jira rikadzoserwa kudenga. Petro achiri kushamiswa nezvaireva chiratidzo, varume vakanga vatumwa naKoniriasi vakawana pakanga pane imba yaSimoni uye vakamira pasuo. Vakadanidzira vachibvunza kana pakanga pari ipo paigara Simoni ainziwo Petro. Petro achiri kufunga pamusoro pechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Simoni, pana varume vatatu vari kukutsvaka. Saka simuka uburuke uende pasi. Usatya kuenda navo, nokuti ndini ndavatuma.” Petro akaburuka akandoti kuvarume ava, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingeiko?” Varume vaya vakamupindura vakati, “Tabva kuna Koniriasi mukuru wezana. Munhu akarurama uye anotya Mwari, anokudzwa navanhu vose vechiJudha. Mutumwa mutsvene akamuudza kuti akudanei kuti muuye kumba kwake kuti azonzwa zvamuchareva kwaari.” Ipapo Petro akakoka varume ava kuti vapinde mumba vave vaeni vake. Fume mangwana Petro akasimuka pamwe chete navo, uye dzimwe hama dzokuJopa dzakaendawo naye. Akasvika kuKesaria zuva rakatevera. Koniriasi akanga akavamirira uye akanga akoka hama dzake neshamwari dzapedyo. Petro akati apinda mumba, Koniriasi akamuchingamidza uye akawira patsoka dzake achimuremekedza. Asi Petro akaita kuti asimuke akati, “Simuka, ndinongova munhuwo zvangu.” Petro achitaura naye, akapinda mumba akawana vanhu vazhinji vakaungana. Akati kwavari, “Imi munozviziva kuti hazvibvumirwi nomurayiro wedu kuti muJudha adyidzane nomuhedheni kana kumushanyira. Asi Mwari andiratidza kuti handifaniri kuti nditi munhu haana kunaka kana kuti ane tsvina. Nokudaro pandakadanwa, ndakabva ndauya ndisingarambi. Regai ndichibvunza hangu kwamuri kuti mandidanirei?” Koniriasi akapindura akati, “Mazuva mana apfuura ndakanga ndiri mumba mangu ndichinyengetera senguva ino, nenguva yechitatu yamasikati. Pakarepo munhu akanga akapfeka nguo dzinopenya akamira pamberi pangu akati, ‘Koniriasi, Mwari anzwa minyengetero yako uye arangarira zvipo zvako kuvarombo. Tumira vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro. Mueni mumba maSimoni musuki wamatehwe, anogara pedyo negungwa.’ Saka ndakabva ndatumira vanhu kwamuri pakarepo, uye maita zvakanaka zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe kwamuri zvose zvamarayirwa naShe kuti muzotitaurira.” Ipapo Petro akatanga kutaura achiti, “Zvino ndava kuziva kuti zvirokwazvo Mwari haazi mutsauri wavanhu asi anogamuchira vanhu vanobva kundudzi dzose, ivo vanomutya uye vanoita zvakarurama. Imi munoziva shoko rakatumwa naMwari kuvanhu veIsraeri, achivaudza mashoko akanaka orugare kubudikidza naJesu Kristu, anova Ishe wavose. Munoziva zvakaitika muJudhea yose, kutanga kuGarirea shure kworubhabhatidzo rwakaparidzwa naJohani, zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye. “Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema. Vakamuuraya nokumuturika pamuti, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa nezuva retatu akaita kuti aonekwe. Haana kuonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakanga zvagara zvasarudzwa naMwari nesu takadya uye tikanwa naye shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa. Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa. Vaprofita vose vanopupura nezvake kuti ani naani anotenda kwaari anogamuchira kanganwiro yezvivi kubudikidza nezita rake.” Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko. Vatendi vakadzingiswa vakanga vauya naPetro vakakatyamara nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange napavahedheniwo. Nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akati, “Pano munhu angadzivisa vanhu ava kuti vabhabhatidzwe nemvura here? Vagamuchira Mweya Mutsvene sezvatakangoitawo isu.” Naizvozvo akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira Petro kuti ambogara navo kwamazuva mashoma. Vapostori nehama dzomuJudhea yose vakanzwa kuti vahedheni vakanga vagamuchirawo shoko raMwari. Saka Petro akati aenda kuJerusarema, vatendi vokudzingiswa vakamutsoropodza vachiti, “Iwe wakapinda mumba yavanhu vasina kudzingiswa ukandodya navo.” Petro akatanga kurondedzera zvinhu zvose kwavari zvichitevedzana sokuitika kwazvakanga zvaita achiti, “Ndakanga ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, ndikabatwa nomweya ndikaona chiratidzo. Ndakaona chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru, chichiburutswa kubva kudenga namakona acho mana, uye chakaburuka chikasvika pandaiva. Ndakatarira mukati macho ndikaona mhuka dzenyika dzina makumbo mana, zvikara zvesango, nezvinokambaira uye neshiri dzedenga. Ipapo ndakanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Simuka, Petro. Baya udye.’ “Ini ndakapindura ndikati, ‘Zvirokwazvo kwete, Ishe! Hakuna chinhu chisina kunaka kana chine tsvina chakatombopinda mumuromo mangu.’ “Inzwi rakataurazve kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari hachina kunaka.’ Izvi zvakaitika katatu, uye ipapo jira nezvose zvikadzoserwazve kudenga. “Pakarepo varume vatatu vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuKesaria vakamira pamba pandaigara. Mweya Mutsvene akandiudza kuti ndirege kunonoka kuenda navo. Hama nhanhatu idzi dzakaendawo neni, uye takasvikopinda mumba momurume uya. Akatirondedzera maonero aakanga aita mutumwa mumba make, uyo akati, ‘Tuma vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro. Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako vose.’ “Pandakatanga kutaura, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo samauyiro aakaita kwatiri pakutanga. Ipapo ndakarangarira zvakanga zvarehwa naShe achiti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.’ Saka kana Mwari akavapa chipo chimwe chetecho chaakatipa isu, vakatenda muna Ishe Jesu Kristu, ko, ini ndaigova ani zvangu kuti ndipikisane naMwari?” Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vahedheni kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.” Zvino vaya vakanga vaparadzirwa namatambudziko nokuda kwaSitefani vakafamba vakandosvika kuFonisia, Saipurasi neAndioki, vachitaura shoko kuvaJudha bedzi. Kunyange zvakadaro, vamwe varume vaibva kuSaipurasi nokuKurini, vakaenda kuAndioki vakatanga kutaura kuvaGirikiwo, vachivataurira mashoko akanaka nezvaIshe Jesu. Ruoko rwaShe rwakanga rwuri pamusoro pavo, uye vanhu vazhinji vakatenda vakatendeukira kuna She. Mukurumbira wazvo wakasvika munzeve dzekereke yapaJerusarema, ndokubva vatuma Bhanabhasi kuAndioki. Akati asvika, akaona umboo hwenyasha dzaMwari, uye akafara akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka muna She nemwoyo yavo yose. Iye akanga ari munhu akanaka, azere noMweya Mutsvene nokutenda, uye vanhu vazhinji vakauya kuna She. Ipapo Bhanabhasi akaenda kuTasasi kundotsvaka Sauro, uye akati amuwana, akauya naye kuAndioki. Saka gore rose rakapera Bhanabhasi naSauro vachisangana nekereke uye vakadzidzisa vanhu vazhinji kwazvo. Vadzidzi vakanzi vaKristu kwokutanga paAndioki. Panguva iyoyo vamwe vaprofita vakaburuka vachibva kuJerusarema vachienda kuAndioki. Mumwe wavo, ainzi Agabhusi, akasimuka akaprofita noMweya Mutsvene kuti nzara huru yaizopararira munyika yose yavaRoma. (Izvi zvakaitika munguva yokutonga kwaKiraudhio). Vadzidzi vakazvipira, mumwe nomumwe napaaigona napo, kuti ape rubatsiro kuhama dzaigara muJudhea. Vakaita izvi, vakatumira chipo chavo naBhanabhasi naSauro kuvakuru. Yakanga iri nguva inenge imwe cheteyo Mambo Herodhi paakasunga vamwe vaiva nhengo dzekereke, achida kuvatambudza. Akanga aita kuti Jakobho mukoma waJohani aurayiwe nomunondo. Paakaona kuti izvozvo zvakafadza vaJudha, akapfuurira mberi akandosungawo Petro. Izvi zvakaitika panguva yoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso. Mushure mokumusunga, akamuisa mutorongo, akaita kuti arindwe namapoka mana avarwi, boka rimwe nerimwe rina varwi vana. Herodhi akanga achida kumumisa padare rokutongwa shure kwePasika. Saka Petro akachengetwa mutorongo, asi kereke yakanga ichimunyengeterera zvikuru kuna Mwari. Usiku hwaaifanira kumiswa pamberi pedare naHerodhi husati hwasvika, Petro akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa nengetani mbiri, uye varindi vakanga vakamira vakarinda vari pamukova. Pakarepo mutumwa waShe akaonekwa uye chiedza chakavhenekera muchitokisi. Akarova Petro parutivi ndokumumutsa achiti, “Kurumidza muka!” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko aPetro. Mutumwa akati kwaari, “Pfeka nguo dzako neshangu dzako.” Uye Petro akaita saizvozvo. Mutumwa akati kwaari, “Monera jasi rako ubve wanditevera.” Petro akamutevera achibuda mutorongo, asi akanga asingazivi kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zvichitoitika; akafunga kuti aiona chiratidzo. Vakapfuura napavarindi vokutanga nevechipiri ndokusvika pasuo resimbi rakanga rakatarira kuguta. Rakangovazarukira roga, vakapinda napariri. Vakati vafamba kusvika kumagumo kweimwe nzira imwe chete, pakarepo mutumwa akamusiya. Ipapo Petro akapengenuka akati, “Zvino ndava kuziva ndisingatongokahadziki kuti Ishe atuma mutumwa wake uye andinunura pamaoko aHerodhi napazvinhu zvose zvanga zvakatarisirwa navanhu vechiJudha.” Izvi zvakati zvajeka kwaari, akaenda kumba kwaMaria mai vaJohani, anonziwo Mako, uko kwakanga kwakaungana vanhu vazhinji vachinyengetera. Petro akagogodza pamukova wokunze, musikana ainzi Rodha akauya kuzodaira kugogodza uku. Akati anzwa kuti inzwi raPetro, akafara zvikuru akadzokera achimhanya asati atongozarura musuo akavaudza akati, “Petro ari pamukova!” Vakati kwaari, “Wava kupenga.” Paakaramba achisimbisisa kuti zvakanga zviri izvo, ivo vakati, “Anofanira kunge ari mutumwa wake.” Asi Petro akaramba achigogodza, uye vakati vazarura mukova, vakamuona vakashamiswa. Petro akaninira maoko ake kwavari kuti vanyarare ndokurondedzera kuti Ishe akanga amubudisa sei mutorongo. Akati, “Muudze Jakobho nehama pamusoro paizvozvi.” Ipapo akabva akaenda kune imwe nzvimbo. Mangwanani acho, kwakava nebope guru pakati pavarwi vachida kuziva kuti chii chakanga chaitika kuna Petro. Mushure mokunge Herodhi amutsvakisisa kwazvo uye asina kumuwana, akanyatsobvunzisisa varindi ndokubva arayira kuti vaurayiwe. Ipapo Herodhi akabva kuJudhea akaenda kuKesaria akandogarako kwechinguva. Aisipopotedzana navanhu veTire neSidhoni, vakanga vabatana pamwe chete vakatsvaka kuti vataurirane naye. Vakati vawana rutsigiro rwaBhurasto, muranda akatendeka wamambo, vakakumbira rugare, nokuti vaipona nenyika yamambo, nokuti ndikwo kwavaiwana zvokudya. Pazuva rakanga ratarwa, Herodhi akapfeka nguo dzake dzoushe, akagara pachigaro chake choushe akataura kuvanhu. Vakadanidzira vachiti, “Iri inzwi ramwari, kwete romunhu.” Pakarepo, nokuti Herodhi haana kurumbidza Mwari, mutumwa waShe akamurova, iye akadyiwa nehonye uye akafa. Asi shoko raMwari rakaramba richikura uye richipararira. Bhanabhasi naSauro vakati vapedza basa ravo, vakadzokera kuJerusarema, vakatorawo Johani, ainzi Mako. Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro. Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.” Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma. Ava vaviri vakati vatumwa naMweya Mutsvene parwendo rwavo, vakaburuka vakaenda kuSerusia, vakazobvako vakakwira chikepe ndokuenda kuSaipurasi. Vakati vasvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari musinagoge ravaJudha. Johani akanga achivabatsira. Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe n'anga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu, akanga ari muchengeti womubati wenyika, ainzi Segio Paurosi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari. Asi Erimasi n'anga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda. Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati, “Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe? Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.” Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira. Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe. Vachibva paPafosi, Pauro navanhu vaaifamba navo vakakwira chikepe vakaenda kuPega muPamufiria, uye vava ikoko Johani akavasiya akadzokera kuJerusarema. Vachibva kuPega vakapfuurira kuAndioki yePisidhia. Nomusi weSabata vakapinda musinagoge vakasvikogara zvavo pasi. Mushure mokuverengwa kwoMurayiro naVaprofita, vabati vomusinagoge vakatuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana mune shoko rokukuridzira vanhu, tapota taurai henyu.” Ipapo Pauro akasimuka, akanininira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vahedheni vanonamata Mwari, nditeererei! Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru, akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga, akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo. Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu. Shure kwaizvozvi, Mwari akavapa vatongi kusvikira panguva yaSamueri muprofita. “Ipapo vanhu vakakumbira mambo, akavapa Sauro mwanakomana waKishi, worudzi rwaBhenjamini, uyo akatonga kwamakore makumi mana. Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’ “Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbiswa. Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri. Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’ “Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vahedheni vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri. Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe. Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye. Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. Asi Mwari akamumutsa kuvakafa, uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu. “Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari, akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi: “ ‘Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.’ Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti: “ ‘Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’ Nokudaro zvinotaurwa pamwewo kuti: “ ‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’ “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora. Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora. “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri. Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi. Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti: “ ‘Tarirai imi vaseki, mushamiswe uye muparare, nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu chamusingazombotendi, kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’ ” Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera. Ungano yakati yapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari. PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe. VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro. Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kuvaHedheni. Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti: “ ‘Ndakakuitai chiedza kuvaHedheni, kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ” VaHedheni vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. Shoko raShe rakapararira mudunhu rose. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo. Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu. Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene. PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji navaHedheni vakatenda. Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yavaHedheni uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama. Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso. Vanhu vomuguta vakapesana; vamwe vakatsigira vaJudha, vamwewo vakatsigira vapostori. VaHedheni navaJudha, pamwe chete navatungamiri vavo vakanga vakarangana kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe. Asi vakazviziva vakabva vatizira kuRistira neDhebhe maguta avaRikonia nokunyika dzose dzakapoteredza, uko kwavakaramba vachiparidza vhangeri. MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba. Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba. Vazhinji vakati vaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwechiRikonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!” Bhanabhasi vakamutumidza kuti Zeusi, uye Pauro vakamutumidza kuti Herimesi nokuti ndiye aiva mutauri mukuru. Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari. Asi vapostori, Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti, “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo. Panguva dzakapfuura, akarega hake ndudzi dzose dzichifamba nenzira dzadzo. Asi haana kusiya pasina zvingamupupurira: Akakuitirai tsitsi nokukupai mvura inobva kudenga nezvirimwa nenguva yazvo; akakupai zvokudya zvakawanda uye akazadza mwoyo yenyu nomufaro.” Kunyange namashoko iwaya, zvakanga zvakaoma chose kuti vadzivise vanhu vazhinji ava kuti varege kuvabayira. Ipapo vamwe vaJudha vaibva kuAndioki nokuIkoniamu vakauya vakasvikopindura mwoyo yavanhu vazhinji ava. Vakataka Pauro ndokumuzvuzvurudzira kunze kweguta, vachifunga kuti afa. Asi shure kwokunge vadzidzi vaungana vakamukomba, akamuka akadzokera muguta zvakare. Zuva rakatevera akaenda naBhanabhasi kuDhebhe. Vakaparidza mashoko akanaka muguta iroro vakawana vadzidzi vazhinji kwazvo. Ipapo vakadzokera kuRistira, Ikoniamu nokuAndioki, vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.” Pauro naBhanabhasi vakagadza vatungamiri mukereke imwe neimwe uye nokunyengetera nokutsanya, vakavakumikidza kuna She, uyo wavaivimba naye. Shure kwokupinda kwavo nomuPisidhia, vakasvika muPamufiria, uye vakati vaparidza shoko muPega, vakadzika vakaenda kuAtaria. Kubva paAtaria vakakwira chikepe vakadzokera kuAndioki, kuya kwavakanga vakumikidzwa kunyasha dzaMwari pabasa ravakanga vapedza zvino. Vakati vasvika ikoko, vakaunganidza kereke pamwe chete vakavarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo uye kuti akanga avazarurira sei mukova wokutenda kuvaHedheni. Uye vakagara navadzidzi ipapo kwenguva refu. Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.” Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana kukuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri. Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti vaHedheni vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru. Vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke navapostori uye navakuru, vakarondedzera kwavari zvinhu zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo. Ipapo vamwe vatendi vakanga vari vebato ravaFarisi vakasimuka vakati, “VaHedheni ava vanofanira kudzingiswa uye vanosungirwa kuti vateerere murayiro waMozisi.” Vapostori navakuru vakasangana kuti vaongorore nyaya iyi. Shure kwehurukuro huru, Petro akasimuka akati, “Hama dzangu, munoziva imi kuti nguva dzakare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti vaHedheni vanzwe shoko revhangeri rinobva pamiromo yangu vagotenda. Mwari, iye anoziva mwoyo yavanhu akaratidza kuti anovagamuchira nokuvapa Mweya Mutsvene, sezvaakangoitawo kwatiri. Haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, nokuti akanatsa mwoyo yavo nokutenda. Naizvozvo zvino, munodireiko kuedza Mwari nokuisa pamitsipa yavadzidzi joko risina kugona kutakurwa nesu kana madzibaba edu? Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.” Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza navo. Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti. “Hama dzangu, nditeererei. Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kuvaHedheni. Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “ ‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa. Ndichavakazve matongo ayo, uye ndichaivandudzazve, kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe, uye navaHedheni vose vanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’ zvakangova zvazivikanwa kubva kare. “Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera vaHedheni ava vari kutendeukira kuna Mwari. Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa. Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.” Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama. Vakatumira tsamba yaiti: Vapostori navakuru, idzo hama dzenyu, Kuvatendi nokuvaHedheni vari muAndioki, Siria nomuSirisia: Kwaziwai. Takanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vasina mvumo yedu vakakanganisa pfungwa dzenyu nezvavakataura. Saka tose takatenderana kuti tisarudze varume pakati pedu tigovatuma kwamuri pamwe chete neshamwari dzedu dzinodikanwa ivo Bhanabhasi naPauro, varume vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu. Naizvozvo tiri kutumira Judhasi naSirasi kuti vagotsigira namashoko omuromo wavo pane zvatanyora. Zvinenge zvakanaka kuMweya Mutsvene nesu kuti tirege kukuremedzai nomutoro upi zvawo unopfuura zvinodikanwa izvi: Munofanira kurega zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, neropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye noupombwe. Muchaita zvakanaka kuti murege izvi. Chisarai. Varume ava vakaenda ndokubva vaburuka vakaenda kuAndioki, kwavakandounganidza kereke pamwe chete ndokubva vavapa tsamba. Vanhu vakaiverenga vakafara kwazvo nokuda kweshoko rayo rokukurudzira. Judhasi naSirasi avo vakanga vari vaprofita, vakataura zvakawanda zvokukurudzira nokusimbisa hama. Shure kwokunge vambogara kwechinguva ikoko, vakaperekedzwa nehama namaropafadzo orugare kuti vachidzokera havo kuna avo vakanga vavatuma. Kunyange zvakadaro, Sirasi akasarudza kusarapo. Asi Pauro naBhanabhasi vakasara muAndioki, uko ivo navamwe vazhinji vakadzidzisa nokuparidza shoko raShe. Mushure mechinguva Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatimbodzokera timbondoshanyira hama kuna mamwe maguta atakaparidza shoko raShe tinoona kuti vakadii zvavo.” Bhanabhasi akanga achida kutora Johani, ainziwo Mako, kuti vaende pamwe chete naye, asi Pauro haana kuona zvakanaka kuti vaende naye, nokuti akanga ambovasiya paPamufiria uye haana kuramba ainavo pabasa. Vakava nokupesana kukuru zvokuti vakaparadzana. Bhanabhasi akatora Mako akakwira chikepe vakaenda kuSaipurasi, asi Pauro akasarudza Sirasi akaenda akakumikidzwa kunyasha dzaShe nehama. Akapinda nomuSiria nokuSirisia, achisimbisa makereke. Akasvika kuDhebhe uyezve nokuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, mai vake vakanga vari muJudha uye vaiva mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki. Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka. Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere. Nokudaro makereke akasimbiswa mukutenda uye vakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu. Pauro navaiva naye vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia. Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira. Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi. Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.” Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri. Tichibva paTrioasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi. Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo. Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengetera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo. Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro. Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Uye akatikumbirisa tikatenda. Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengetera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Iye aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake. Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusorosoro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.” Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari. Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo. Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bopoto muguta redu vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.” Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe. Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo. Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda. Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera. Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka. Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake uye akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka. Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!” Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje utungidzwe, akapinda achimhanya akawira pamberi paPauro naSirasi achidedera. Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?” Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.” Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba. Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake. Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, uye nemhuri yake. Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.” Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.” Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.” Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo. Vakauya kuzovanyengetedza uye vakavabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta. Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo. Vakati vapfuura nomuAmufipori neAporonia, vakasvika muTesaronika umo makanga mune sinagoge ravaJudha. Setsika yake Pauro akapinda musinagoge, uye kwamaSabata matatu, akataurirana navo zvaibva muMagwaro, achitsanangura nokuvaratidza kuti Kristu aifanira kutambudzika uye agomuka kubva kuvakafa. Akati, “Jesu uyu wandinokuparidzirai ndiye Kristu.” Vamwe vaJudha vakatenda ndokubva vabatana naPauro naSirasi, sezvakaitwawo navazhinji zhinji vavaGiriki vaitya Mwari uye navakadzi vazhinji vaikudzwa. Asi vaJudha vakaita godo; saka vakakokorodza vanhu vakanga vakaipa kubva pamusika, vakaunganidza mhomho yavanhu kuti vandotanga bope muguta. Vakamhanyira kumba kwaJasoni kundotsvaka Pauro naSirasi vachida kuti vavabudise vavaendese kuvanhu vazhinji. Asi vakati vavashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vachidanidzira vachiti, “Vanhu vaya vakauyisa kutambudzika panyika yose vasvikawo kuno zvino, uye Jasoni akavagamuchira mumba make. Vose vari kumhura zvirevo zvaKesari, vachiti, pano mumwe mambo, anonzi Jesu.” Vakati vanzwa izvozvo, ungano uye navabati veguta vakashushikana. Ipapo vakaita kuti Jasoni navamwe varipe rubatso ndokubva vavaregedza. Kuchangosviba, hama dzakaendesa Pauro naSirasi kuBheria. Vakati vasvika ikoko, vakapinda musinagoge ravaJudha. Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo. VaJudha vazhinji vakatenda, sezvakaitwawo navakadzi vaikudzwa vechiGiriki navarume vazhinji vechiGiriki. VaJudha vokuTesaronika vakati vanzwa kuti Pauro akanga achiparidza shoko raMwari paBheria, vakaendazve ikoko, vakakurudzira uye vakakuchidzira bope pakati pavanhu vazhinji. Ipapo hama dzakatumira Pauro kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasara paBheria. Varume vakaperekedza Pauro, vakasvika naye paAtene vachibva vadzokera vaine shoko rokuti Sirasi naTimoti vamutevere nokukurumidza. Pauro achakavamirira paAtene, akatambudzika zvikuru achiona kuti guta rakanga rizere nezvifananidzo. Saka akataurirana navaJudha navaGiriki vaitya Mwari musinagoge, uyewo napamusika zuva rimwe nerimwe naavo vainge varipo. Boka ravakachenjera ravaEpikuro navaStoiki rakaita nharo naye. Vamwe vavo vakabvunza vakati, “Ko, uyu mutauri wezvisina maturo ari kuedza kuti kudii?” Vamwe vakati, “Anenge ari kudzidzisa nezvavamwari vokumwe.” Vakareva izvi nokuti Pauro akanga achiparidza mashoko akanaka ezvaJesu uye nezvokumuka kwavakafa. Ipapo vakamutora vakamuisa paAreopagasi, vakati kwaari, “Tinoda kuziva kuti dzidziso itsva iyi yauri kudzidzisa ndeyei? Uri kuunza pfungwa itsva kunzeve dzedu, uye tinoda kuziva kuti dzinorevei.” (VaAtene vose navatorwa vaigara ipapo vaipedza nguva yavo vasina chimwe chavanoita kunze kwokungotaura uye nokuteerera pfungwa itsva). Ipapo Pauro akasimuka mumusangano weAreopagasi akati, “Varume veAtene! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru. Nokuti ndakati ndichifamba-famba uye ndikanyatsotarisisa zvinhu zvamunonamata, ndakaona kunyange nearitari yakanyorwa kunzi: KUNA MWARI ASINGAZIVIKANWI. Zvino chamunonamata sechinhu chisingazivikanwi ndicho chandinokuparidzirai. “Mwari akasika nyika nezvinhu zvose zviri mairi ndiye Ishe wedenga napasi uye haagari mutemberi dzakavakwa namaoko. Iye haashumirwi namaoko avanhu, sokunge anoshayiwa chinhu, nokuti iye amene anopa vanhu vose upenyu nokufema uye nezvimwewo zvinhu. Kubva pamunhu mumwe chete akaita ndudzi dzose dzavanhu, kuti vagare panyika yose; uye akavatarira nguva nenzvimbo dzavo chaidzo dzavangagara. Mwari akaita izvi kuitira kuti vanhu vagomutsvaka kuti zvimwe vangamuwana, kunyange zvake asiri kure nomumwe nomumwe wedu. ‘Nokuti maari ndimo matinorarama nomatinofamba, uye ndimo matigere.’ Sezvakarehwa navamwe vanyori venziyo vokwenyu vachiti, ‘Tiri chibereko chake.’ “Naizvozvo sezvo tiri chibereko chaMwari, hatifaniri kufunga kuti umwari hwakaita segoridhe kana sirivha kana ibwe, chifananidzo chakavezwa noumhizha hwomunhu. Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke. Nokuti akatara zuva raachatonga nyika nokururamisira nomurume waakagadza. Akaratidza izvi kuvanhu vose nokumumutsa kubva kuvakafa.” Vakati vanzwa nezvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tinoda kuzokunzwazve pamusoro peshoko iri.” Nokudaro, Pauro akabva paungano iyi. Varume vashoma vakava vateveri vaPauro uye vakatenda. Pakati pavo paiva naDhionisiasi, nhengo yeAreopagasi nomukadzi ainzi Dhamarisi, uye navamwewo. Shure kwaizvozvo, Pauro akabva paAtene akaenda kuKorinde. Ikoko akandosangana nomuJudha ainzi Akwira chizvarwa chePondasi, akanga achangobva kuItari nomukadzi wake Pirisira, nokuti Kiraudhio akanga arayira kuti vaJudha vose vabve muRoma. Pauro akaenda kundomuona, uye sezvo akanga ari mugadziri wamatende saivo, akagara navo achishanda pamwe chete navo. Sabata rimwe nerimwe akanga achitaurirana navo musinagoge, achiedza kugombedzera vaJudha navaGiriki. Sirasi naTimoti vakati vasvika vachibva kuMasedhonia, Pauro akazvipira kuti aparidze chete, achipupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu. Asi vaJudha vakati vapikisana naPauro uye vachimutuka, akazunza nguo dzake asingafari akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu! Ini ndakachena pabasa rangu. Kubva zvino ndichaenda kuvaHedheni.” Ipapo Pauro akabuda musinagoge akaenda kumba kwaTitiasi Jastasi munhu ainamata Mwari. Krispasi mukuru wesinagoge, neimba yake yose vakatenda kuna She; uye vazhinji vavaKorinde vakamunzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa. Humwe usiku Ishe akataura naPauro muchiratidzo akati, “Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara. Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.” Saka Pauro akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu, achivadzidzisa shoko raMwari. Panguva iyo Gario akanga ari mubati weAkaya, vaJudha vakabatana mukurwisa Pauro uye vakauya naye kudare redzimhosva. Vakati, “Munhu uyu, ari kugombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira inopesana nomurayiro.” Pauro akati oda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Kana imi vaJudha manga muchinyunyuta pamusoro pemhosva yezvisakarurama kana kutadza kwakaipisisa, zvainge zviri nyore kwandiri kuti ndikuteererei. Asi sezvo ichingova mibvunzo pamusoro pamashoko namazita uye nezvomurayiro wenyu, gadzirisanai pachenyu. Ini handidi kutonga nyaya dzakadai.” Saka akaita kuti vadzingwe kubva mudare remhosva. Ipapo vose vakatendeukira kuna Sosteni mukuru wesinagoge vakamurova pamberi pedare. Asi Gario haana kumbova nehanya nazvo. Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita. Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha. Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba. Asi paakabva, akavimbisa achiti, “Ndichadzokazve kana Mwari achida.” Ipapo akakwira chikepe kubva kuEfeso. Akati aburuka paKesarea, akakwira akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki. Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose. Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo. Akanga akadzidziswa nzira yaShe, uye aitaura nesimba guru uye achinyatsodzidzisa nezvaJesu, kunyange zvake aingoziva nezvorubhabhatidzo rwaJohani. Akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamukoka kumba kwavo vakamutsanangurira nzira yaMwari zvizere. Aporosi akati oda kuenda kuAkaya, hama dzakamukurudzira ndokumunyorera tsamba yokuti vadzidzi vaikoko vamugamuchire. Paakasvika akabatsira kwazvo avo vakanga vatenda nenyasha. Nokuti pakutaurirana, akapikisa vaJudha zvine simba pamberi pavanhu, achiratidza kubva muMagwaro kuti Jesu ndiye Kristu. Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?” Ivo vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.” Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?” Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.” Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.” Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita. Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose. Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari. Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatsaura vadzidzi akaenda navo pamwe chete akandoita hurukuro navo zuva rimwe nerimwe pachikoro chaTirano. Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe. Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro, zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva kwavari. Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.” Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo. Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?” Ipapo munhu akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa. Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha navaGiriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru. Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa. Vazhinji vakanga vachiita zvoun'anga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanua. Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura nesimba. Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.” Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva. Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi. Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo. Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri. Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akaendesa nokutsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havazi vamwari chaivo. Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.” Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!” Pakarepo guta rose rakanyonganiswa. Vanhu vakabata Gayo naAristakusi, shamwari dzaPauro dzaaifamba nadzo dzaibva kuMasedhonia, vakamhanya navo nomwoyo mumwe vakapinda navo munhandare. Pauro akanga achida kuzviratidza pamberi pemhomho, asi vadzidzi vakamudzivisa. Kunyange vamwe vakuru veEzhia, shamwari dzaPauro, vakamutumira shoko vachimukumbirisa kuti arege kuedza kupinda munhandare. Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo. VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Iye akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu. Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!” Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga? Naizvozvo, sezvo izvi zvisingagoni kurambika, munofanira kuti munyarare murege kumhanyira kuita chinhu. Mauya navarume ava pano, kunyange zvavo vasina kuba temberi dzedu kana kumhura mwarikadzi wedu. Zvino, kana Dhemetiri nedzimwe mhizha dzaanadzo vakange vane mhosva naani zvake, matare edzimhosva akazarurwa uye vatongi varimo. Vanogona kuvakwirira havo. Kana pane chimwe chinhuzve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo. Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.” Akati ataura izvi, akarayira kuti ungano iparare. Bope rakati rapera, Pauro akadana vadzidzi, uye shure kwokuvakurudzira, akaonekana navo akasimuka akaenda kuMasedhonia. Akafamba nomumatunhu ayo, achitaura mashoko mazhinji okukurudzira vanhu, uye pakupedzisira akazosvika kuGirisi, uko kwaakandogara kwemwedzi mitatu. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vaita rangano yakaipa pamusoro pake paakanga oda kukwira chikepe kuti aende kuSiria, akafunga kudzokerazve nokuMasedhonia. Akaperekedzwa naSopata mwanakomana waPirasi wokuBheria, navanaAristakusi naSekundo, vaibva kuTesaronika, naGayo wokuDhebhe, naTimotiwo uye Tikiko naTirofimo vaibva mudunhu reEzhia. Varume ava vakatungamira vakandotimirira paTroasi. Asi takazokwira chikepe kubva kuFiripi shure kwoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, uye shure kwamazuva mashanu takazobatana navamwe paTroasi, apo patakazogara kwamazuva manomwe. Nomusi wokutanga wevhiki takaungana pamwe chete kuti timedure chingwa. Pauro akataura kuvanhu uye, nokuda kwokuti akanga achida kuenda pazuva raitevera, akaramba achingotaura kusvikira pakati pousiku. Makanga mune mwenje mizhinji muimba yapamusoro matakanga tichisangana. Pawindo pakanga pagere jaya rainzi Yutiko, uyo akanga abatwa nehope huru sezvo Pauro akanga achingoramba achitaura. Paakanga anyatsobatwa nehope akawira pasi achibva paimba yechitatu yapamusoro akazonongwa afa. Pauro akaburuka akasvikozviwisira pamusoro pejaya akamugumbatira mumaoko ake. Akati, “Musatya, mupenyu!” Ipapo akakwirazve paimba yapamusoro akamedura chingwa akadya. Shure kwokutaura navo kusvikira kwaedza, akazoenda hake. Vanhu vakatora mujaya uya vakaenda naye kumusha ari mupenyu uye vakanyaradzwa zvikuru. Isu takatungamira nechikepe tikaenda kuAsosi, uko Pauro aizokwirawo chikepe. Akanga aronga izvi nokuti akanga achizoenda ikoko netsoka. Paakasangana nesu paAsosi, takamukwidza tikapfuurira kuMitirene. Fume mangwana takamukapo nechikepe tikandosvika pakatarisana neKiyosi. Zuva rakatevera iroro takayambuka tikasvika kuSamosi, uye zuva rakatevera takasvika paMireto. Pauro akanga afunga zvokupfuura napaEfeso nechikepe achiitira kuti vasapedza nguva vari munyika yeEzhia nokuti akanga achimhanyira kusvika kuJerusarema, kana zvaibvira, nezuva rePendekosti. Pauro ari paMireto, akatumira shoko kuEfeso kundodana vakuru vekereke. Vakati vasvika, akati kwavari, “Imi munoziva kuti ndakagara sei nemi panguva yose yandaiva nemi, kubvira pazuva rokutanga randakasvika munyika yeEzhia. Ndakashumira Ishe nokuzvininipisa zvikuru uye nemisodzi, kunyange ndakaedzwa zvikuru nerangano dzavaJudha. Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba. Ndakapupura kuna vose vaJudha navaGiriki kuti vanofanira kudzokera kuna Mwari nokutendeuka vagotenda kuna Ishe Jesu. “Zvino ndamanikidzwa noMweya, ndiri kuenda kuJerusarema, ndisingazivi hangu zvichaitika kwandiri. Chandinongoziva ndechokuti muguta rimwe nerimwe Mweya Mutsvene anondiyambira kuti kusungwa nokutambudzika zvakandirindira. Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari. “Zvino ndinoziva kuti hakuna pakati penyu imi vandakafamba navo ndichiparidza vhangeri roushe achazondionazve. Naizvozvo ndinotaura kwamuri nhasi kuti handina mhosva yeropa ravanhu vose. Nokuti handina kuzeza kukuparidirai kuda kwose kwaMwari. Zvichenjererei imi pachenyu neboka rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene. Fudzai kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake pachake. Ndinoziva kuti kana ndabva, mapere achapinda pakati penyu asingaregi boka. Kunyange pakati penyu iyemi vanhu vachamuka vachiminamisa chokwadi vachiitira kuti vatape vadzidzi kuti vavatevere. Saka rindai! Rangarirai kuti makore matatu handina kumborega kukuyambirai mumwe nomumwe wenyu, usiku namasikati nemisodzi. “Zvino ndinokuisai kuna Mwari nokushoko renyasha dzake, iro rinogona kukuvakai uye richikupai nhaka pakati paavo vakaitwa vatsvene. Handina kumbochiva sirivha yomunhu kana goridhe kana nguo yomunhu. Imi munoziva pachenyu kuti maoko angu aya akabatira kushayiwa kwangu nokushayiwa kwavandaiva navo. Mune zvose zvandakaita, ndakakuratidzai kuti namabatiro akaoma aya, tinofanira kubatsira vasina simba, tichirangarira mashoko aShe Jesu pachake paakati, ‘Kupa kwakaropafadzwa kupfuura kugamuchira.’ ” Akati ataura izvi, akapfugama pamwe chete navo vose uye vakanyengetera. Vose vakachema pavakamumbundikira uye vakamutsvoda. Zvakanyanya kuvarwadza mashoko aakataura achiti havaizoona chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe. Shure kwokuparadzana kwedu navo, takaenda kugungwa tikandokwira chikepe tikananga kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRhodzi uye tichibva ikoko takaenda kuPatara. Takawana chikepe chaiyambuka chichienda kuFonisia, tikakwira machiri tikaenda. Takati taona Saipurasi takaipfuura nechezasi kwayo, tikaenda kuSiria. Takandoburuka chikepe paTire, paiburutsa chikepe chedu nhumbi dzacho. Takati tawana vadzidzi ipapo, takagara navo kwamazuva manomwe. Vakakumbirisa Pauro kubudikidza noMweya kuti arege kuenda kuJerusarema. Asi nguva yedu yakati yapera, takabvapo tikaenderera mberi norwendo rwedu. Vadzidzi vose pamwe chete navakadzi vavo navana vakatiperekedza vakatisiya tava kunze kweguta, uye pamahombekombe ipapo takapfugama tikanyengetera. Shure kwokuonekana kwedu nomumwe nomumwe wedu, isu takabva taenda kundokwira chikepe, ivo vakadzokera kumusha. Takapfuurira mberi norwendo rwedu tichibva kuTire tikandoburuka chikepe paToremai, patakakwazisana nehama tikagara zuva rimwe chete navo. Zuva rakatevera takabvapo, tikandosvika kuKesaria tikandogara pamba pomuvhangeri Firipi, mumwe wavaya vanomwe. Akanga ana vanasikana vana vakanga vasati vawanikwa vaiprofita. Shure kwokugara kwedu ipapo kwamazuva akati kuti, muprofita ainzi Agabhusi akasvika achibva kuJudhea. Asvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akabva azvisunga makumbo namaoko ake naro akati, “Mweya Mutsvene anoti, ‘Nenzira imwe chete iyoyi, vaJudha vokuJerusarema vachasunga muridzi webhanhire vagomuisa mumaoko avaHedheni.’ ” Takati tanzwa izvi, isu navanhu voko takakumbirisa Pauro kuti arege kukwira kuJerusarema. Ipapo Pauro akapindura akati, “Seiko muchichema uye muchirwadzisa mwoyo wangu? Ini ndakagadzirira kwete kusungwa kwoga, asi kufawo muJerusarema nokuda kwezita raIshe Jesu.” Paakaramba kudziviswa, isu takamurega tikati, “Kuda kwaShe ngakuitwe.” Shure kwaizvozvo takagadzirira tikaenda kuJerusarema. Vamwe vadzidzi vokuKesaria vakatiperekedza vakatisvitsa kuimba yaMunasoni, uko kwataifanira kundogara. Iye akanga ari murume aibva kuSaipurasi uye ari mumwe wavadzidzi vokutanga. Takati tasvika paJerusarema, hama dzakatigamuchira nomufaro. Zuva rakatevera Pauro uye nesu tose takaenda kundoona Jakobho, uye vakuru vose vaivapo. Pauro akavakwazisa uye akanyatsovarondedzera zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza noushumuri hwake. Vakati vanzwa izvi, vakarumbidza Mwari. Ipapo vakati kuna Pauro, “Unoona, hama, kune zviuru nezviuru zvavaJudha vakatenda, uye vose zvavo vanoshingairira murayiro. Vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vagere pakati pavaHedheni kuti vatsauke kubva kuna Mozisi, uchivaudza kuti varege kudzingisa vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. Zvino toita seiko? Vachanzwa zvirokwazvo kuti wauya, saka iwe chiita zvatinokuudza zvino. Tina varume vana pano vakaita mhiko. Tora varume ava, ubatane navo pakuzvinatsa kwavo uye iwe ugovaripira, kuti vaveurwe misoro yavo. Ipapo munhu wose achaziva kuti hapana chokwadi pane zviri kurehwa pamusoro pako, asi kuti iwe pachako unoteerera murayiro. Kana vari vatendi vokuvaHedheni, takavanyorera pane zvatakatema kuti varege kudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye ropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye varege upombwe.” Zuva rakatevera Pauro akatora varume vaya uye akazvinatsa pamwe chete navo. Ipapo akaenda kutemberi kundozivisa kupera kwamazuva okuzvinatsa uye chipiriso chichizoitirwa mumwe nomumwe wavo. Mazuva manomwe akati oda kupera, vamwe vaJudha vaibva kuEzhia vakaona Pauro patemberi. Vakamutsa vanhu vazhinji uye vakamubata, vachishevedzera vachiti, “Varume veIsraeri, tibatsirei! Uyu ndiye murume anodzidzisa vanhu kwose kwose zvinopesana navanhu vokwedu, murayiwo wedu uye nenzvimbo ino. Zvisati zviri izvozvo zvoga, akapinza vaGiriki muruvanze rwetemberi akasvibisa nzvimbo iyi tsvene.” (Nokuti vakanga vamboona Tirofimo muEfeso ari muguta pamwe chete naPauro vakafunga kuti Pauro akanga apinda naye mutemberi.) Guta rose rakamutswa, uye vanhu vakauya vachimhanya vachibva kumativi ose. Vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, pakarepo masuo akazarirwa. Pavakanga vachiedza kumuuraya, shoko rakasvika kumukuru wehondo yeuto ravaRoma richiti guta rose reJerusarema rakanga raita bope. Pakarepo iye akatora mamwe machinda navarwi akamhanyira kuvanhu. Vaiti vebongozozo vakati vachiona mukuru wamauto ana varwi vake, vakabva varega kurova Pauro. Mukuru wamauto akauya akasunga Pauro uye akarayira kuti asungwe nengetani mbiri. Ipapo akamubvunza kuti akanga ari ani uye kuti akanga aitei. Vamwe vaiva pakati pavanhu vazhinji ava vakadanidzira, mumwe ichi, mumwe icho, uye sezvo mukuru wamauto akanga asingagoni kusvika pachokwadi chenyaya nokuda kwebope, akarayira kuti Pauro aiswe kudzimba dzavarwi. Pauro akati asvika pamatanho, bongozozo ravanhu rakanga rakurisa zvokuti akaita zvokutotakurwa navarwi. Vanhu vazhinji vaimutevera vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaaurayiwe!” Varwi pavakanga vava kuda kupinza Pauro mudzimba dzavarwi, akakumbira mukuru wavarwi akati, “Ndingataurawo nemi here?” Iye akati, “Unotaura chiGiriki here? Ko, hauzi uya muIjipita akamutsa bope, akatungamirira zviuru zvina zvavapanduki mugwenga nguva dzakapfuura here?” Pauro akapindura akati, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasasi kuSirisia, munhu weguta rakakurumbira. Ndapota regai nditaure kuvanhu.” Akati apiwa mvumo nomukuru wavarwi, Pauro akamira pamatanho akaninira vanhu noruoko rwake. Uye vakati vanyarara vose, akati kwavari nechiHebheru: “Hama nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwangu zvino.” Pavakanzwa achitaura kwavari nechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Ipapo Pauro akati, “Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi. Ndakatambudza vateveri veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga zvose varume navakadzi ndichivaisa mutorongo, sezvandingapupurirwawo nomuprista mukuru namakurukota ose. Ndakapiwa matsamba aibva kwavari okuenda nawo kuhama dzavo dzaiva muDhamasiko, ndikaenda ikoko kuti ndinouya navanhu ava kuJerusarema savasungwa kuti vazorangwa. “Nenguva dzinenge dzamasikati pandakanga ndoswedera pedyo neDhamasiko, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikandipenyera kumativi ose. Ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?’ “Ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Iye akati, ‘Ndini Jesu weNazareta, wauri kutambudza.’ Shamwari dzangu dzakaona chiedza, asi hadzina kunzwa inzwi raiye akanga achitaura neni. “Ndakabvunza ndikati, ‘Munoda kuti ndiiteiko Ishe?’ “Ishe akati, ‘Simuka, upinde muDhamasiko. Imomo ndimo mauchandoudzwa zvose zvawakatarirwa kuti uite.’ Shamwari dzangu dzakandisesedza pakupinda kwangu muDhamasiko, nokuti kuvaima kwechiedza kwakanga kwandi-pofumadza. “Murume ainzi Ananiasi akauya kuzondiona. Akanga akazvipira pakunamata Mwari nokucherechedza murayiro uye aikudzwa zvikuru navaJudha vose vaigaramo. Akamira neni akati, ‘Hama Pauro, chiona!’ uye nenguva yakare iyoyo ndakakwanisa kumuona. “Ipapo akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akusarudza iwe kuti uzive kuda kwake uone Iye Akarurama uye unzwe mashoko anobva mumuromo make. Uchava chapupu chake kuvanhu vose, chezvawakaona nezvawakanzwa. Saka zvino wakamirireiko? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, udane kuzita rake.’ “Pandakadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera ndiri mutemberi, ndakabatwa nomweya ndikaona Ishe achitaura kwandiri achiti, ‘Kurumidza kubva muJerusarema izvozvi, nokuti vanhu havangagamuchiri uchapupu hwako.’ “Ndakapindura ndikati, ‘Ishe, vanhu ava vanoziva kuti ndakanga ndichienda musinagoge rimwe nerimwe kuti ndinosunga uye ndirove vaya vaitenda kwamuri. Uye pavakateura ropa raSitefani chapupu chenyu, ndakanga ndimirepo ndichitenderana nazvo uye ndakachengeta nhumbi dzaivo vaimuuraya.’ “Ipapo Ishe akati kwandiri, ‘Enda, nokuti ndichakutuma kure kuvaHedheni.’ ” Vanhu vakamuteerera kusvikira ataura izvi. Ipapo vakadanidzira vachiti, “Mubvisei panyika! Haafaniri kurarama!” Pavakanga vachiita mheremhere vachikanda nguo dzavo pasi, uye vachikushira ivhu mudenga, mukuru wavarwi akarayira kuti Pauro aendeswe kudzimba dzavarwi. Akarayira kuti arohwe uye abvunzwe kuitira kuti vazive kuti nemhaka yei vanhu vakanga vachimupopotera kudai. Pavakamusunga kuti vamurove, Pauro akati kumukuru wezana akanga amirepo, “Munotenderwa here nomutemo kuti murove muRoma, asina kana kutombowanikwa ane mhosva?” Mukuru wezana akati anzwa izvi, akaenda kumukuru wavarwi akandomuzivisa izvozvo, akati, “Muchaita seiko zvino? Munhu uyu muRoma.” Mukuru wavarwi akaenda kuna Pauro akati, “Nditaurire, uri muRoma here iwe?” Akapindura akati, “Hongu, ndiri muRoma.” Mukuru wehondo akati, “Ini ndakaita zvokutenga nomutengo mukuru kuti ndive muRoma.” Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.” Vaya vakanga voda kumubvunza vakabva varega pakarepo. Mukuru wamauto pachake akatya paakaona kuti akanga asunga Pauro, muRoma, nengetani. Zuva rakatevera, sezvo mukuru wavarwi aida kuziva chaizvoizvo kuti sei Pauro akanga achipomerwa mhosva navaJudha, akamusunungura akarayira kuti vaprista vakuru neDare Guru ravaJudha vaungane. Ipapo akatora Pauro akamumisa pamberi pavo. Pauro akatarisisa kuDare Guru ravaJudha akati kwavari, “Hama dzangu, ini ndakaita basa rangu kuna Mwari nehana yakanaka kusvikira zuva ranhasi.” Ipapo muprista mukuru ainzi Ananiasi akarayira vaya vakanga vamire pedyo naye kuti vamurove pamuromo. Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe rusvingo rwakacheneswa! Ugere ipapo kuti unditonge maererano nomurayiro, asi iwe pachako unodarika murayiro nokurayira kuti ndirohwe!” Vaya vakanga vamire pedyo naPauro vakati, “Iwe uri kutotuka muprista mukuru waMwari nhai?” Pauro akapindura akati, “Hama dzangu, ndanga ndisingazivi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’ ” Ipapo Pauro, achiziva kuti vamwe vavo vakanga vari vaSadhusi uye kuti vamwe vakanga vari vaFarisi, akadanidzira kuDare Guru akati, “Hama dzangu, ini ndiri muFarisi mwanakomana womuFarisi. Ndimire pano ndichitongwa nokuda kwetariro yangu yokumuka kwavakafa.” Akati ataura izvozvo, nharo dzakamuka pakati pavaFarisi navaSadhusi, nokudaro ungano yakapesana. VaSadhusi vanoti hakuna kumuka kwavakafa, uye kuti hakuna mutumwa kana mweya, asi vaFarisi vanotenda izvozvo zvose. Pakava nebope guru, uye vamwe vadzidzisi vomurayiro vainge vari vaFarisi vakasimuka vakaita nharo zvikuru. Vakati, “Hatina chakaipa chatinoona pamunhu uyu. Ko, kana ari mweya kana mutumwa akataura kwaari?” Kupesana kwakava nemhirizhonga zvokuti mukuru wamauto akatya kuti Pauro angangobvamburwa-bvamburwa navo. Akarayira varwi kuti vaburuke vandomutora vamubvise kwavari nechisimba uye vagomuendesa kudzimba dzavarwi. Usiku hwakatevera, Ishe akamira pedyo naPauro akati kwaari, “Tsunga mwoyo! Sezvawapupura pamusoro pangu muJerusarema, saizvozvo unofanira kundopupurawo muRoma.” Fume mangwana vaJudha vakaita rangano vakazvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vauraya Pauro. Varume vaipfuura makumi mana ndivo vakaita rangano iyi. Vakaenda kuvaprista vakuru navakuru vakati, “Isu tazvisunga nemhiko kuti tirege kudya kana chinhu kusvikira tauraya Pauro. Zvino imi neDare Guru ravaJudha kumbirai mukuru wavarwi kuti amuuyise pamberi penyu muchiita somunoda kubvunzisisa pamusoro penyaya iyi. Isu takagadzirira kumuuraya asati asvika kuno.” Asi mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akati anzwa rangano iyi, akapinda mudzimba dzavarwi akandoudza Pauro. Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana akati kwaari, “Tora jaya iri uende naro kumukuru wavarwi; ane zvaari kuda kumutaurira.” Saka akaenda naye kumukuru wavarwi. Mukuru wezana akati, “Pauro, musungwa uya, andidaidza akandikumbira kuti ndiuye nejaya iri, kwamuri nokuti rine zvarinoda kukuudzai.” Mukuru wavarwi akabata ruoko rwejaya, akaenda naye padivi akamubvunza akati, “Chii chauri kuda kundiudza?” Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukukumbirai kuti muuyise Pauro pamberi peDare Guru ravaJudha mangwana vachiita sevanoda kunyatsobvunzisisa pamusoro pake. Musavanzwa, nokuti pana vamwe vavo vanopfuura makumi mana vakamuvandira. Vakatozvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vamuuraya. Vakatogadzirira izvozvi, vakamirira kubvuma kwenyu chikumbiro chavo.” Mukuru wavarwi akaita kuti jaya iri riende uye akamuyambira achiti, “Usaudza munhu kuti wataura izvi kwandiri.” Ipapo akadana vakuru vezana vaviri akavarayira achiti, “Gadzirirai mazana maviri avarwi, navanotasva mabhiza makumi manomwe uye mazana maviri avarume vane mapfumo kuti vaende kuKesaria nenguva dzepfumbamwe manheru. Mutsvakirewo Pauro bhiza rokutasva kuitira kuti andosvika zvakanaka kuMubati Ferikisi.” Akanyora tsamba yaiti: Kiraudhio Risia, Kuna Changamire, Mubati Ferikisi Kwaziwai. Murume uyu akabatwa navaJudha uye vakanga voda kumuuraya, asi ini ndakabva ndasvika navarwi vangu ndikamununura, nokuti ndakanga ndanzwa kuti muRoma. Ndakada kuziva kuti sei vakanga vachimupomera mhosva, saka ndikamuendesa kuDare ravo Guru. Ndakaona kuti aipomerwa mhosva pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi pakanga pasina mhosva ingafanira rufu kana kupfigirwa mutorongo. Pandakanyeverwa pamusoro perangano yaakanga arongerwa, ndakabva ndamutumira kwamuri pakarepo. Ndakazivisawo vapomeri vake kuti vazosvitsa kwamuri mhosva yavanomupomera. Saka varwi vakaita sezvavakanga varayirwa, vakatora Pauro vakaenda naye usiku vakandosvika naye kuAndipatirisi. Zuva rakatevera, vakarega vamabhiza vachienda naye, ivo vachibva vadzokera kudzimba dzavarwi. Vatasvi vamabhiza vakati vasvika kuKesaria, vakapa tsamba kumubati ndokubva vaisa Pauro mumaoko ake. Mubati akaverenga tsamba akamubvunza kuti akanga achibva kudunhu ripi. Akati aziva kuti akanga achibva kuSirisia, akati kwaari, “ndichazonzwa nyaya yako kana vanokupomera vasvika.” Ipapo akarayira kuti Pauro achengetwe navarindi vomumuzinda waHerodhi. Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesarea navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati. Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kuchenjera kwenyu kwakashandura rudzi urwu. Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitowo yose kwose kwose. Asi kuti tisakunetsaizve, ndinokumbira hangu kuti mutinzwire ngoni mungotinzwa henyu kwenguva duku. “Takaona kuti murume uyu akaipa, anomutsa bope pakati pavaJudha munyika yose. Ndiye mutungamiri weboka ravaNazareta uye akaedza kunyange kushatisa temberi; ndokusaka takamubata. Asi Risiasi mukuru wavarwi akauya akamutakanura mumaoko edu nechisimba. Mukamubvunzisisa imi pachenyu muchakwanisa kuziva chokwadi chemhosva dzatiri kumupomera.” VaJudha vakabvumirana nezvaakanga achipomerwa, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi. Mubati akati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Ndinoziva kuti manga muri mutongi worudzi urwu kwamakore mazhinji; saka ndinofara kuti ndizvidavirire. Imi munogona kuziva nyore nyore kuti mazuva gumi namaviri haasati atombopera kubva pandakaenda kundonamata kuJerusarema. Vapomeri vangu havana kundiwana ndichiita nharo naani zvake mutemberi, kana kumutsa bope musinagoge kana papi zvapo muguta. Uye havagoni kukubudisirai chokwadi chemhosva yavanondikwirira. Zvisinei hazvo, ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu somuteveri weNzira, yavanoti yakatsauka. Ini ndinotenda zvinhu zvose zvinobvumirana nomutemo uye nezvakanyorwa muvaprofita, uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa. Saka ndinoshingairira nguva dzose kuti hana yangu ive yakachena pamberi paMwari navanhu. “Shure kwamakore mazhinji ndisipo, ndakauya kuJerusarema kuti ndizopa vanhu vokwangu zvipo zvavarombo uye kuti ndizopa zvipiriso zvangu. Ndakanga ndakazvinatsa pavakandiwana ndiri mutemberi ndichiita izvi. Pakanga pasina vanhu vazhinji vaiva neni, uye handina kumboita nyonganyonga. Asi pana vaJudha vanobva kuEzhia, vaifanira kunge vari pano pamberi penyu ndivo vaifanira kundipa mhosva kana vainge vane mhosva ipi zvayo neni. Kana ivava vari pano vanofanira kutaura mhaka yavakawana mandiri pandakamira pamberi peDare Guru ravaJudha, kunze kwechinhu chimwe chete ichi chandakadanidzira ndimire pamberi pavo ndichiti, ‘Ndiri kutongwa maererano nokumuka kwavakafa; ndizvo zvaita kuti ndive pamberi penyu nhasi.’ ” Ipapo Ferikisi uyo akanga achizivisisa nezveNzira iyo, akambomisa dare. Akati, “Kana Risiasi mukuru wavarwi auya, ndichatonga mhosva yenyu.” Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe navarindi asi asununguke uye shamwari dzake dzibvumirwe kuti dzimuvigire zvaanoda. Mushure mamazuva mazhinji, Ferikisi akauya nomukadzi wake Dhurusira, uyo akanga ari muJudha. Akadana Pauro kuti auye vagozomunzwa sezvo aitaura pamusoro pezvokutenda muna Kristu Jesu. Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.” Panguva yacho iyoyo aifunga kuti Pauro achamupa fufuro, saka aidana Pauro nguva nenguva achitaura naye. Makore maviri akati apfuura, Poshiasi Fesitasi akatora nzvimbo yaFerikisi, asi nokuda kwokuti Ferikisi aida kufadza vaJudha, akasiya Pauro ari mutorongo. Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokusvika kwake munyika iyo, Fesitasi akakwira kubva kuKesaria akaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamira pamberi pake vakapira mhosva yaPauro kwaari. Vakakumbira zvikuru kuna Fesitasi, sechinhu chinofadza kwavari, kuti Pauro aendeswe kuJerusarema, nokuti vakanga vachigadzirira kumuvandira kuti vagomuuraya munzira imomo. Fesitasi akapindura akati, “Pauro akachengetwa paKesaria, uye ini pachangu ndichaendako nokukurumidza. Vamwe vavakuru venyu ngavaende neni vagondokwirira munhu uyu ikoko, kana akaita chinhu chipi zvacho chakaipa.” Akati apedza mazuva masere kana gumi navo, akaburuka akaenda kuKesaria, uye zuva rakatevera akaunganidza vedare akarayira kuti Pauro auyiswe pamberi pake. Pauro akati asvika, vaJudha vakanga vabva kuJerusarema vakamira vakamukomberedza, vachimupomera mhosva dzakaipisisa, dzavakanga vasingakwanisi kusimbisa. Ipapo Pauro akazvidavirira achiti, “Ini handina kuita chinhu chakaipa pamusoro pomurayiro wavaJudha kana temberi kana Kesari.” Fesitasi achida kufadza vaJudha, akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusarema kuti undomira pamberi pangu uchitongwa neni ikoko pamusoro pemhosva dzaunopomerwa idzi?” Pauro akapindura akati, “Iye zvino ndimire pamberi pedare raKesari, munova ndimo mandinofanira kutongwa. Handina kuita chinhu chakaipa kuvaJudha, sezvamunonyatsoziva imi pachenyu. Kunyange zvakadaro hazvo, kana ndine mhosva yokuita chinhu chipi zvacho chinokodzera rufu, handingarambi kufa. Asi kana mhosva dzandinopomerwa navaJudha dzisina chokwadi, hakuna munhu ane mvumo yokundiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari!” Shure kwokunge Fesitasi ataurirana namakurukota ake, akati, “Wazviisa kuna Kesari. Kuna Kesari uchaenda!” Shure kwamazuva mashoma, Mambo Agiripa naBhenisi vakasvika paKesaria kuti vandopa ruremekedzo rwavo kuna Fesitasi. Sezvo vakanga vachipedza mazuva mazhinji ikoko, Fesitasi akakurukura nyaya yaPauro namambo. Akati, “Pane murume ari pano akasiyiwa ari musungwa naFerikisi. Pandakaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakauya vachimupomera mhosva vakakumbira kuti atongwe. “Ndakavaudza kuti haisi tsika yavaRoma, yokuendesa munhu upi zvake asati asangana navapomeri vake, uye apiwa mukana wokuzvidavirira pamusoro pemhosva yavanomupomera. Pavakauya pano neni, handina kunonotsa nyaya iyi, asi ndakadana dare pazuva rakatevera ndikarayira kuti munhu uyu apinzwe mudare. Vaimupomera vakati vasimuka kuti vataure, havana kumupomera mhosva ipi zvayo yandaitarisira. Asi, vaingova namashoko okukakavadzana naye pamusoro pechitendero chavo uye napamusoro pomurume akafa anonzi Jesu, uyo anonzi naPauro mupenyu. Ndakashaya ruzivo rwokuferefeta nyaya dzakadai; saka ndakabvunza kana aida hake kuenda kuJerusarema kuti andotongwa ikoko pamusoro pemhosva idzi. Pauro akati azvisarudzira kuti achengetwe kuti azotongwa pamberi paMambo Kesari, ndakarayira kuti achengetwe kusvikira ndazomutumira kuna Kesari.” Ipapo Agiripa akati kuna Fesitasi, “Ndingada kunzwa munhu uyu pachangu.” Akapindura akati, “Muchamunzwa mangwana.” Zuva rakatevera, Agiripa naBhenisi vakauya nokukudzwa kukuru vakapinda mumba maitambirwa mhaka vane machinda ezvigaro zvapamusoro uye navarume vaitungamirira guta. Varayirwa naFesitasi, Pauro akapinzwa mukati. Fesitasi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano nesu, muri kuona munhu uyu! Ungano yose yavaJudha yakandikumbira pamusoro pake muJerusarema uye nomuno muKesaria, vachidanidzira vachiti haafaniri kutongoramba ari mupenyu. Ini ndakawana asina kuita chinhu chingafanira rufu, asi nokuda kwokuti akazviisa kuna Kesari, ndakafunga kumutumira kuRoma. Asi handina chinhu chandinganyatsorondedzera chokuti ndinyorere kuna Changamire pamusoro pake. Naizvozvo ndamuuyisa pamberi penyu iyemi mose, kunyanya pamberi penyu, Mambo Agiripa, kuitira kuti zvichabuda pakuferefeta uku zvigondiwanisa zvokunyora. Nokuti ndinofunga kuti hazvina ungwaru kutumira musungwa pasina rondedzero chaiyo yemhosva yake.” Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Saka Pauro akaninira noruoko rwake akatanga kuzvidavirira achiti, “Mambo Agiripa, ndinoona kuti ndine rombo rakanaka kuti ndimire pamberi penyu nhasi ndichizvidavirira pamusoro pezvose zvandinopomerwa navaJudha, uye zvikuru nokuti imi munonyatsoziva tsika dzavaJudha uye namakakatanwa avo. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti munditeerere nomwoyo murefu chaizvo. “VaJudha vose zvavo vanoziva nzira yandakararama nayo kubvira pandakanga ndiri mwana, kubva pakutanga kwoupenyu hwangu munyika yokwangu, nomuJerusaremawo. Vakandiziva kwenguva refu uye vanogona kupupura, kana vachida zvavo, kuti maererano nedzidziso yakasimba yechitendero chedu, ndakagara ini ndiri muFarisi. Uye zvino ndiri kutongwa pano nhasi nokuda kwetariro yangu mune zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari. Iyi ndiyo vimbiso yakamirirwa namarudzi edu gumi namaviri kuti isvike sezvavanoshumira Mwari kwazvo masikati nousiku. Imi mambo, vaJudha vari kundipa mhosva nokuda kwetariro iyi. Seiko zvisingatendeseki pakati penyu kuti Mwari anomutsa vakafa? “Neniwo ndakanga ndichigutsikana ndichitoti ndinofanira kuita zvose zvandaigona kuti ndipikise zita raJesu weNazareta. Uye ndizvo chaizvo zvandakaita muJerusarema. Nemvumo yandakanga ndapiwa navaprista vakuru, ndakaisa vazhinji vavatsvene mutorongo, uye pavainge vachiurayiwa, ndaitenderana nazvo. Nguva zhinji ndaibva kune rimwe sinagoge ndichienda kune rimwe ndichiita kuti varangwe, uye ndakaedza kuvamanikidza kuti vamhure Mwari. Noruvengo rwandaiva narwo pamusoro pavo, ndakaenda kunyange kuna mamwe maguta avatorwa kundovatambudza. “Pane imwe yenzendo idzi ndakanga ndichienda kuDhamasiko ndine mvumo uye ndatumwa navaprista vakuru. Nenguva dzinenge dzamasikati, mambo, ndiri mumugwagwa, ndakaona chiedza chakabva kudenga, chaipenya kupfuura zuva, chikavaima chakandipoteredza ini navandaiva navo. Tose takawira pasi, uye ndakanzwa inzwi richiti kwandiri norurumi rwechiHebheru, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Zvakakuomera iwe kuti ukave zvibayiso.’ “Ipapo ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Ishe akapindura akati, ‘Ndini Jesu waunotambudza. Zvino chisimuka umire netsoka dzako. Ndazviratidza kwauri kuti ndikugadze somuranda uye sechapupu chezvawaona kwandiri uye nezvandichakuratidza. Ndichakununura kubva kuvanhu vokwako uye kubva kuvaHedheni. Ndiri kukutuma kwavari kuti usvinudze meso avo nokuvadzora kubva kurima kuti vauye kuchiedza, nokubva musimba raSatani kuti vauye kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi uye vawane nzvimbo pakati paavo vakaitwa vatsvene nokutenda kwandiri.’ “Saka ipapo, Mambo Agiripa, handina kuramba kuteerera kuchiratidzo chakabva kudenga. Ndakatanga kuparidza kuna avo vaiva muDhamasiko, nokuna avo vaiva muJerusarema nomuJudhea yose, uye nokuvaHedheniwo kuti vatendeuke vadzokere kuna Mwari vagoratidza kutendeuka kwavo namabasa avo. Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vandibate mutemberi uye vaedze kundiuraya. Asi ndakabatsirwa naMwari kusvikira nhasi uno, uye ndimire pano kuti ndipupure kuvaduku nokuvakuru zvimwe chetezvo. Handina kutaura zvinopfuura zvakataurwa navaprofita uye naMozisi kuti zvichaitika, kuti Kristu achatambudzika, uye, saiye wokutanga kumuka kuvakafa achaparidza chiedza kuvanhu vake uye nokuvaHedheni.” Ipapo Fesitasi akati kuna Pauro nenzwi guru, “Pauro, wava kupenga! Kudzidza kwako kukuru kwava kukupengesa.” Pauro akapindura akati, “Handisi kupenga, changamire Fesitasi. Zvandiri kutaura ichokwadi uye zvinotendeka. Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda. Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.” Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.” Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.” Mambo akasimuka, pamwe chete nomubati naBhenisi uye navose vaakanga agere navo. Vakabuda mumba, uye pavaitaurirana, vakati, “Munhu uyu haasi kuita chinhu chinofanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.” Agiripa akati kuna Fesitasi, “Munhu uyu angadai asunungurwa dai akanga asina kuzviisa kuna Kesari.” Kwakati kwarongwa kuti tiende nechikepe kuItari, Pauro navamwe vasungwa vakaiswa mumaoko omukuru wezana ainzi Juriasi akanga ari wehondo yaAgasito. Takakwira chikepe chaibva kuAdhiramitiami chakanga chava kuenda nomunzvimbo dzaiva kumahombekombe enyika yeEzhia, ndokubva taenda kugungwa. Takanga tiina Arisitako, muMasedhonia aibva kuTesaronika, pamwe chete nesu. Zuva rakatevera takasvika paSidhoni; uye Juriasi akanzwira Pauro tsitsi akamutendera kuti aende kushamwari dzake kuti zvimwe vangamupa zvaaishayiwa. Tichibva ipapo takaendazve kugungwa tikapfuura nezasi kweSaipurasi, nokuti mhepo yakanga ichitidzivisa. Takati tayambuka gungwa reSirisia nePamufiri, takandomira paMira muRisia. Mukuru wezana akawana chikepe cheArekizandiria ipapo chaienda kuItari akatikwidzamo. Takafamba zvishoma zvishoma mazuva mazhinji uye zvakanga zvakatiomera kusvikira paNidhasi. Sezvo mhepo yakanga ichitidzivisa kuti tifambe mugwara redu, takabva taenda nezasi kweKirete, kwakatarisana neSarimone. Takafamba nokumahombekombe tichitambudzika tikasvika panzvimbo yainzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea. Takarasikirwa nenguva yakawanda kwazvo, uye kufambisa chikepe kwakanga kwava nengozi nokuti zvino Nguva Yokutsanya yakanga yatopfuura. Saka Pauro akavayambira akati, “Varume, ndinoona kuti rwendo rwedu ruchava nenjodzi uye ruchauyisa kurasikirwa kukuru kuchikepe nokunhumbi, uyewo nokuupenyu hwedu chaihwo.” Asi mukuru wezana, pachinzvimbo chokuti ateerere kune zvakanga zvataurwa naPauro, akatevera zano romuchairi wechikepe uye neromuridzi wechikepe. Sezvo panomira chikepe pakanga pasina kunaka kuti vanhu vagarepo munguva yechando, voruzhinji vakasarudza kuti tirambe tichifamba, vachitarisira kusvika kuFonisia tigogarako panguva yechando. Iyi ndiyo yaiva nzvimbo yomuKirete yaimirira chikepe, yakatarisa kwose zasi kwakadziva kumavirira nokumusoro kwakadziva kumavirira. Mhepo yakadzikama yaibva zasi yakati yotanga kuvhuvhuta, vakafunga kuti vawana zvavaida; saka vakayera zvibatiso tikafamba takatevedza mahombekombe eKirete. Kusati kwambopera nguva huru, mhepo huru ine simba, yainzi “Yurakuro,” yakavhuvhuta ichibva nokuchitsuwa. Chikepe chakabatwa nedutu chikatadza kupinda nomumhepo; saka takarega zvakadaro uye takaramba tichingosairirwa. Takati tapfuura nezasi kwechitsuwa chiduku chainzi Kaudha, takanga tisisagoni kuchengetedza igwa rokununura upenyu. Varume vakati varikwidza pamusoro pechikepe, vakapinza tambo napasi pechikepe kuti zvibate zvakasimba. Vachitya kuti vangasairirwa kujecha rokuSiritisi, vakaderedza zvomugungwa ndokubva varega chikepe chichisairirwa. Takanga tava kuvhungwavhungwa nemhepo yaiva nesimba zvokuti mangwana acho vakatanga kubudisa nhumbi muchikepe vachidzikanda mugungwa. Pazuva retatu, vakakanda mimwe midziyo yaishandiswa muchikepe mugungwa namaoko avo. Zuva kana nyeredzi pazvisina kuonekwa kwamazuva mazhinji, uye dutu parakaramba richipenga, takagumisira tarasikirwa netariro yose yokuponeswa kwedu. Shure kwokunge vanhu vagara nguva refu vasina zvokudya, Pauro akamira pamberi pavo akati, “Varume, maifanira kunge makateerera zano rangu rokuti murege kubva paKirete; ipapo mungadai makazviponesa pakuparadza nokurasikirwa uku. Asi zvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge, nokuti hakuna mumwe wenyu acharasikirwa noupenyu hwake; asi chikepe ichi bedzi ndicho chichaparadzwa. Madeko mutumwa waMwari uyo wandiri wake uye wandinoshumira akamira neni akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye Mwari nenyasha akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’ Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza. Kunyange zvakadaro tichandokandwa hedu pane chimwe chitsuwa.” Nousiku hwegumi nechina, takanga tichiri kungosundwa nemhepo tichiyambuka Gungwa reAdhiria, panenge pakati pousiku vafambisi vechikepe vakaona kuti vakanga voswedera kunyika. Vakatora zvokuyera kudzika kwemvura vakaona kuti mvura yakanga yakadzika mamita makumi mana. Shure kwenguva pfupi, vakayerazve vakawana kuti pakanga padzika namamita makumi matatu. Nokutya kuti vangabondera paruware, vakabva vadzikisa zvibatiso zvina shure, ndokunyengetera kuti dai kwaedza. Vachida kuedza kutiza kubva muchikepe, vafambisi vechikepe vakaburutsa igwa rokununura upenyu ndokurikanda mugungwa, vachiita sokunge vaizodzikisa zvimiso mberi kwechikepe. Ipapo Pauro akati kumukuru wezana nokuvarwi, “Kana vanhu ava vakasagara muchikepe, hamungararami.” Saka varwi vakadambura tambo dzakanga dzakabata igwa rokununura upenyu vakarirega richiwira mumvura. Kwava kuda kuedza, Pauro akavakurudzira kuti vadye achiti, “Mazuva gumi namana apfuura, manga makangogara musingadyi, hamuna kutongodya kana chinhu. Zvino ndinokukurudzirai kuti mudye. Munofanira kudya kuti murarame. Hakuna mumwe pakati penyu acharasikirwa nebvudzi romusoro wake.” Shure kwokutaura kwake izvozvo, akatora chingwa akavonga kuna Mwari pamberi pavo vose. Ipapo akachimedura akatanga kudya. Vose vakakurudzirwa uye vakadya zvokudya. Tose takanga tiri mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu. Vakati vadya pavaida napo, vakarerutsa chikepe nokukanda zviyo mugungwa. Kunze kwakati kwaedza, havana kuziva nyika iyo, asi vakaona nzvimbo yaiva nejecha, apo pavakasarudza kuti vamise chikepe kana zvaigona. Vakadambura zvimiso, vakazvisiya mugungwa uye nenguva yakare iyoyo vakadimburawo tambo dzakanga dzakasunga zvokudzoresa chikepe. Ipapo vakasimudza sairi rechikepe kumhepo kuti risairirwe panodira makungwa maviri. Asi chikepe chakarovera pajecha. Muromo wacho wakabatirira kwazvo uye ukasagona kubvapo, nokudaro shure kwacho kwakapwanyika kukaita zvimedu zvimedu nokuda kwokurova kwamasaisai. Varwi vakaronga kuuraya vasungwa kuti vatadzise kana mumwe chete wavo kushambira kuti apunyuke. Asi mukuru wezana akanga achida kuponesa Pauro, akavadzivisa kuita zvavakanga varonga. Akarayira vaya vaigona kushambira kuti vashambire havo vatange kubuda muchikepe vaende kumahombekombe. Vakasara vavo vainge vachizoyambutswa namapuranga kana pazvidimbu zvechikepe. Nenzira iyi, mumwe nomumwe akasvika kunyika zvakanaka. Takati tasvika zvakanaka kumahombekombe, takazoziva kuti chitsuwa ichi chainzi Marita. Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora. Pauro akaunganidza svinga retutsotso paakanga ava kutuisa mumoto, nyoka, yanzwa kupisa kwomoto, yakanamatira paruoko rwake. Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pachavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.” Asi Pauro akazunzira nyoka mumoto uye haana kurwara. Vanhu vakanga vakatarisira kuti achazvimba kana kuwira pasi pakarepo ofa, asi vakati varindira kwenguva refu uye vakasaona chakaitika kwaari, vakashanduka vakati aiva mwari. Pakanga pano munda waiva pedyo ipapo wakanga uri waPabhuriosi, muchinda mukuru wechitsuwa icho. Akatigamuchira kumba kwake akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu. Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa. Izvi zvakati zvaitika, vairwara vose vomuchitsuwa vakauya uye vakaporeswa. Vakatikudza nenzira zhinji uye patakanga tagadzirira kukwira chikepe, vakatipa zvinhu zvataida. Mwedzi mitatu yakati yapfuura, takaenda kugungwa tikakwira muchikepe chakanga chapedza mwaka wechando chiri pachitsuwa apa. Chakanga chiri chikepe chokuArekizandiria chakanga chine misoro miviri yavamwari mapatya, ivo Kasitori naPorukisi. Takaenda paSirakuse tikandogarapo kwamazuva matatu. Takabvapo tikakwira chikepe tikandosvika kuRegiamu. Zuva rakatevera, mhepo yaibva zasi yakakwira, uye pazuva rechipiri takazosvika paPuteori. Ipapo takawana hama uye dzikatikoka kuti tipedze vhiki imwe tinavo. Nokudaro takasvika kuRoma. Hama dzaikoko dzakanga dzanzwa kuti takanga tichiuya, naizvozvo vakafamba kusvikira kuMusika weApio napaMahotera Matatu kuti vazosangana nesu. Pauro, paakaona varume ava, akavonga Mwari uye akakurudzirwa. Takati tasvika kuRoma, Pauro akatenderwa kuti agare oga, ane murwi aimuchengeta. Mazuva matatu akati apfuura, akakoka vatungamiri vavaJudha. Vakati vaungana, Pauro akati kwavari, “Hama dzangu, kunyange ndisina kuita chinhu chakaipa kuvanhu vokwedu kana pamusoro petsika dzamadzitateguru edu, ndakasungwa muJerusarema ndikaiswa mumaoko avaRoma. Vakandibvunzisisa uye vakada kundisunungura, nokuti ndakanga ndisina mhosva ipi zvayo yaikodzera rufu. Asi vaJudha vakati varamba ndakazvipira kuti ndizviise kuna Kesari, kwete kuti ndakanga ndine mhosva ipi zvayo nehama dzangu. Nokudaro ndakumbira hangu kuti ndikuonei uye nditaure nemi. Nokuda kwetariro yaIsraeri ndakasungwa nengetani iyi.” Ivo vakati, “Hatina kumbogamuchira kana tsamba zvadzo dzichibva kuJudhea maererano newe, uye hakuna mumwe wehama dzakabvako akatizivisa kana kutaura chinhu chipi zvacho chakaipa pamusoro pako. Asi tinoda kunzwa kuti pfungwa dzako ndedzei, nokuti tinoziva kuti kwose kwose vanhu vanotaura zvakaipa pamusoro peboka iri.” Vakaronga kuzosanganazve naPauro pane rimwe zuva, uye vakauya kwaakanga ari vari vazhinji kwazvo. Kubvira mangwanani kusvikira madekwana akavatsanangurira uye akavapupurira umambo hwaMwari, uye achiedza kwazvo kuti vatende nezvaJesu kutanga paMurayiro waMozisi kusvikira kuvaprofita. Vamwe vakatendeswa nezvaaireva, asi vamwe havana kutenda. Vakasatenderana pakati pavo ndokubva vatanga kuenda, shure kwokunge Pauro ataura mashoko okupedzisira okuti: “Mweya Mutsvene akataura chokwadi kumadzitateguru enyu paakataura nomuromo waIsaya muprofita achiti: “ ‘Enda kuvanhu ava uti, “Mucharamba muchinzwa asi musingatongonzwisisi; mucharamba muchiona asi musingatongoonesesi.” Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu; havanzwisisi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvimwe vangaona nameso avo, vanzwe nenzeve dzavo, vanzwisise nemwoyo yavo, vagotendeuka, ndigovaporesa.’ “Naizvozvo ndinoda kuti muzive kuti ruponeso rwaMwari rwatumirwa kuvaHedheni, uye ivo vachanzwa!” Shure kwokunge ataura izvi, vaJudha vakabva, vachikakavadzana zvikuru pakati pavo. Pauro akagara ikoko kwamakore maviri ose ari muimba yake yaairipira uye aigamuchira vose vaiuya kuzomuona. Akaparidza zvoumambo hwaMwari asingatyi, asingadziviswi uye akadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu. Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa vhangeri raMwari, vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi, uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu. Kubudikidza naye uye nokuda kwezita rake, takagamuchira nyasha noupostori, kuti tidane vanhu kubva pakati pavaHedheni vose kuti vave nokuteerera kunobva pakutenda. Uye nemiwo muri pakati paavo vakadanwa kuti muve vaJesu Kristu. Kuna vose vari muRoma vanodiwa naMwari uye vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu. Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzwa panyika yose. Mwari, wandinoshumira nomwoyo wangu wose mukuparidza vhangeri roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ndinoramba sei ndichikurangarirai muminyengetero yangu nguva dzose; uye ndinonyengeterera kuti zvino pakupedzisira nokuda kwaMwari ndizarurirwe mukana wokuti ndiuye kwamuri. Ndinoshuva zvikuru kuti ndikuonei kuti ndigokupai chipo chomweya kuti mugova makasimbiswa, ndiko kuti, imi neni tikurudzirwe pamwe chete nokutenda kwomumwe nomumwe wedu. Handidi kuti musaziva, hama, kuti ndakaronga kazhinji kuti ndiuye kwamuri (asi ndakatadziswa kuita saizvozvo kusvikira zvino) kuti ndive nezvibereko pakati penyu, sezvandakaita pakati pavamwe vaHedheni. Ndine mungava kuna vose vaGiriki navasiri vaGiriki, vose vakachenjera navasina kuchenjera. Ndokusaka ndichida zvikuru kwazvo kuti ndiparidze vhangeri kwamuriwo imi vari kuRoma. Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera kumuHedheni. Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.” Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo. Nokuti izvo zvose zvingazivikanwa pamusoro paMwari zviri pachena kwavari, nokuti Mwari akazviisa pachena kwavari. Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo. Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo isina zivo yakasvibiswa. Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi uye vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi vakakuita mifananidzo yakaitwa somunhu anofa, shiri, mhuka nezvinokambaira. Naizvozvo Mwari akavaisa kuzvishuvo zvakaipa zvemwoyo yavo, zvokuzvisvibisa noupombwe kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo. Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni. Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa. Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kuno mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo. Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira. Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa, vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo; havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi. Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita. Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo. Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai. Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here? Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka? Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama. Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.” Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi. Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha. Kuchavapo kutambudzika nokudzungaira kumunhu mumwe nomumwe anoita zvakaipa: kutanga kumuJudha, tevere kumuHedheni; asi kubwinya, nokukudzwa uye norugare kuna vose vanoita zvakanaka: kutanga kumuJudha tevere kumuHedheni. Nokuti Mwari haasi mutsauri wavanhu. Vose vakatadza vasina murayiro vachaparadzwawo vasina murayiro, uye vose vakatadza vano murayiro vachatongwa nomurayiro. Nokuti havazi vaya vanonzwa murayiro vakarurama pamberi paMwari, asi vaya vanoita murayiro ndivo vachanzi vakarurama. Zvirokwazvo, kana vaHedheni, vasina murayiro vachiita sokuberekwa kwavo zvinhu zvinodiwa nomurayiro, wava murayiro wavo pachavo kunyange zvazvo vasina murayiro. Sezvo vachiratidza kuti zvinodiwa nomurayiro zvakanyorwa pamwoyo yavo, hana dzavo dzichipupuriranawo nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza. Izvi zvichaitika pazuva iroro, Mwari raachazotonga zvakavanzika zvavanhu kubudikidza naJesu Kristu, sezvinoreva vhangeri rangu. Zvino iwe, kana uchiti uri muJudha; kana uchivimba nomurayiro uye uchizvirumbidza pamusoro poukama hwako naMwari; kana uchiziva kuda kwake uye uchiziva kuti zvakanaka ndezvipi zvaunodzidziswa nomurayiro; Kana uchiti uri mutungamiri wamapofu, chiedza chaavo vari murima, murairidzi wamapenzi, mudzidzisi wavacheche, nokuti zvauine, mumurayiro, mufananidzo woruzivo nechokwadi, zvino iwe, unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisiwo here? Iwe unoparidza kuti vanhu vasaba, unoba here? Iwe unoti vanhu havafaniri kuita upombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unoba mutemberi dzavo here? Iwe unozvirumbidza pamusoro pomurayiro, unoshora Mwari nokudarika murayiro here? Nokuti, sezvazvakanyorwa: “Zita raMwari rinomhurwa pakati pavaHedheni nokuda kwenyu.” Kudzingiswa kunokosha kana uchichengeta murayiro, asi kana uchidarika murayiro, wakangoita sousina kudzingiswa. Kana vaya vasina kudzingiswa vakachengeta zvinodiwa nomurayiro, havangaonekwi savakadzingiswa here? Uyo asina kudzingiswa panyama asi achichengeta murayiro achakutonga iwe, kunyange zvako une murayiro wakanyorwa uye wakadzingiswa, asi uchidarika murayiro. Munhu haasi muJudha kana ari muJudha anoonekwa kunze chete, uye kudzingiswa hakuzi kwokunze kana kwapanyama chete. Kwete, munhu anova muJudha kana ari muJudha mukati, uye kudzingiswa kudzingiswa kwomwoyo, noMweya, kwete kwezvakanyorwa. Kurumbidzwa kwomunhu akadaro hakubvi kuvanhu, asi kunobva kuna Mwari. Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko? Zvizhinji nemitowo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo. Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here? Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.” Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu). Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko? Mumwe anogona kuti, “zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?” Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira. Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva vaJudha navaHedheni yokuva pasi pechivi. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakava vasina maturo; hapana kana mumwe anoita zvakanaka, kana mumwe zvake.” “Huro dzavo makuva akashama; ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.” “Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.” “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.” “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo, Uye nzira yorugare havaizivi.” “Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.” Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi. Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano, nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye vanoshayirwa mhosva nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare. Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoshayira mhosva vaya vanotenda muna Jesu. Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda. Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoshayirwa mhosva nokutenda kwete nokuchengeta murayiro. Ko, Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Ko, haazi Mwari wavaHedheniwo here? Hongu ndowavaHedheniwo, sezvo kuna Mwari mumwe chete uyo acharuramisira vakadzingiswa nokutenda uye vasina kudzingiswa kubudikidza nokutenda kumwe cheteko. Zvino tinobvisa murayiro nokutenda uku here? Kwete napaduku! Asi, tinosimbisa murayiro. Zvino tichati Abhurahama, tateguru wedu, panyama akawaneiko pazviri? Nokuti dai Abhurahama akashayirwa mhosva namabasa, angadai aine chinhu chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari. Ko, Rugwaro runoti kudiniko? “Abhurahama akatenda Mwari, uye kukanzi kwaari ndiko kururama.” Zvino kana munhu achiita basa, mubayiro wake hautorwi sechipo chokungopiwa, asi somubayiro wakamufanira. Asi kumunhu asingashandi, asi achitenda Mwari uyo anoshayira mhosva munhu akaipa, kutenda kwake kuchanzi kwaari ndiko kururama. Dhavhidhi anotaura pamusoro pechinhu chimwe chete ichi paanotaura zvokuropafadzwa kwomunhu anonzi naMwari akarurama kunze kwamabasa, achiti: “Vakaropafadzwa vakaregererwa zvakaipa zvavo, vakafukidzirwa zvivi zvavo. Akaropafadzwa munhu ane chivi chisingazombobvunzwi naIshe pamusoro pake.” Ko, kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa chete here? Kana kuti navasina kudzingiswawo? Nokuti tati kuna Abhurahama kutenda kwake kwakanzi kwaari ndiko kururama. Zvino zvakanzarwo seiko? Akanga adzingiswa here, kana kuti asati? Haana kunzarwo adzingiswa, asi kuti asati adzingiswa! Uye akagamuchira chiratidzo chokudzingiswa, sechisimbiso chokururama kwaakawana nokutenda asati adzingiswa. Saka naizvozvo ndiye baba wavose vanotenda, asi vasina kudzingiswa, kuitira kuti kururama kugopiwa kwavari. Uye ndiyewo baba wavakadzingiswa, avo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambawo mumakwara okutenda kwakanga kuna baba vedu Abhurahama vasati vadzingiswa. Nokuti Abhurahama nezvizvarwa zvake haana kupiwa chipikirwa chokuti achava mugari wenhaka yenyika, kubudikidza nomurayiro, asi kubudikidza nokururama kunobva pakutenda. Nokuti dai vaya vanorarama nomurayiro vari ivo vadyi venhaka, kutenda hakuna maturo uye nechipikirwa chinokoneswa, nokuti murayiro unouyisa kutsamwa. Uye pasina murayiro hapanawo kudarika. Naizvozvo chipikirwa chinouya nokutenda, kuitira kuti zvive zvenyasha uye kuti chisimbiswe kuzvizvarwa zvose zvaAbhurahama, kwete avo vari vomurayiro voga, asi nokuna avo vari vokutenda kwaAbhurahama. Ndiye baba, vedu tose. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Ndakakuita baba vendudzi zhinji.” Ndiye baba vedu pamberi paMwari, uyo waakatenda kwaari, iye Mwari anopa upenyu kuvakafa uye anodana zvisipo sokunge zviripo. Pasina kana tariro, Abhurahama netariro akatenda uye akava baba vendudzi zhinji, sezvazvakanga zvarehwa kwaari zvichinzi, “Zvizvarwa zvako zvichadarowo.” Haana kushayiwa simba mukutenda kwake, paakaona kuti muviri wake wakanga watofa hawo, sezvo akanga ava namakore anenge zana okuzvarwa, uye kuti chizvaro chaSara chakanga chafawo. Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari, achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa. Ndokusaka “zvakanzi kwaari ndiko kururama.” Mashoko okuti, “zvakanzi kwaari,” haana kunyorerwa iye oga, asi kwatiriwo, kuna avo vachanzi naMwari vakarurama, kunesu vanotenda kwaari iye akamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa. Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokushayirwa mhosva kwedu. Naizvozvo, zvatinoshayirwa mhosva nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi dzatakamira madziri zvino. Uye tinofara mutariro yokubwinya kwaMwari. Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira, kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro. Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa. Munoona, panguva chaiyo yakafanira, patakanga tisina simba, Kristu akafira vasingadi Mwari. Hazviwanzoitika kuti munhu afire akarurama, kunyange zvazvo munhu angaedza kufira munhu akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira. Zvino sezvo takashayirwa mhosva neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari! Nokuti kana, patakanga tiri vavengi vaMwari, takayananiswa naye kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza noupenyu hwake, kana tayananiswa! Nokuti hazvisizvo bedzi, asi kuti tinofarawo muna Mwari nokuna Ishe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye kuyananiswa. Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nechivi, uye nenzira iyi rufu rwakauya kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza, nokuti murayiro usati wapiwa, chivi chakanga chava munyika. Asi chivi hachiverengwi kana pasina murayiro. Asi rufu rwakabata ushe kubva panguva yaAdhamu kusvikira panguva yaMozisi, kunyange pamusoro paavo vasina kutadza nokudarika murayiro, sezvakaitwa naAdhamu, akanga ari mufananidzo wouyo akanga achazouya. Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomunhu mumwe, zvikuru sei nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, dzakadururirwa kuvazhinji! Uye chipo chaMwari hachina kufanana nomubayiro wechivi chomunhu mumwe akatadza: Nokuti kutongwa kwakauya nechivi chomunhu mumwe kuti vave nemhosva, asi chipo chokungopiwa chakatevera kudarika kuzhinji uye chikauyisa kushayirwa mhosva. Nokuti, kana nokudarika kwomunhu mumwe, rufu rwakabata ushe kubudikidza nomunhu iyeye, ko, kuzoti vaya vakagamuchira nyasha zhinji dzaMwari uye nechipo chokungopiwa chokururama, vachabata ushe zvikuru sei muupenyu kubudikidza nomunhu mumwe, iye Jesu Kristu. Naizvozvo, nokuda kwokudarika kwomunhu mumwe mhosva yakapiwa kuvanhu vose, saka naizvozvowo nokuda kwechiito chimwe chokururama, kushayirwa mhosva kunouyisa upenyu kwakavapo kuvanhu vose. Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi kubudikidza nokusateerera kwomunhu mumwe, saka naizvozvowo vazhinji vachaitwa vakarurama kubudikidza nokuteerera kwomunhu mumwe. Murayiro wakaiswawo kuti kudarika kuwande. Asi panowanda chivi, nyasha dzinowanda zvikuru nokupfuurisa, kuitira kuti sokubata ushe kwakaita chivi murufu, naizvozvowo nyasha dzibate ushe kubudikidza nokururama, kuti dziuyise upenyu husingaperi kubudikidza naJesu Kristu, Ishe wedu. Zvino tichatiiko? Toramba tichiita zvivi here kuti nyasha dziwande? Kwete napaduku pose! Takafa kuzvivi; tingararama sei mazviri zvakare? Ko, hamuzivi here kuti isu tose vaya vakabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake? Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva. Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake. Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi, nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi. Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye. Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake. Rufu rwaakafa, akafa kuchivi kamwe chete zvikabva zvapera; asi upenyu hwaanorarama, anoraramira Mwari. Nenzira imwe cheteyo, nemiwo munofanira kuziva kuti makafa kuchivi, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu. Naizvozvo musatendera chivi kuti chibate ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwacho. Musapa mitezo yomuviri wenyu kuchivi, kuti ive nhumbi dzokuita zvisakarurama, asi zvipei kuna Mwari, savaya vakabviswa kurufu vachiiswa kuupenyu; uye ipai mitezo yomuviri wenyu kwaari ive nhumbi dzokururama. Nokuti chivi hachichazovi nesimba pamusoro penyu, nokuti hamusi pasi pomurayiro, asi pasi penyasha. Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose! Hamuzivi here kuti kana mukazvipa kuno mumwe munhu kuti mumuteerere savaranda, muri varanda kuno uyo wamunoteerera, mungava varanda vechivi, chinoendesa kurufu kana vokuteerera, kunoendesa kukururama? Asi Mwari ngaavongwe nokuti, kunyange zvenyu maimbova varanda vechivi, makateerera nomwoyo wenyu wose kurudzi rwedzidziso yamakanga mapiwa. Makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vokururama. Ndinotaura izvi nokutaura kwavanhu nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu. Sezvamaingopa mitezo yemiviri yenyu kuuranda hwokusachena uye nokuipa kunoramba kuchingowanda, saka zvino ipei kuuranda hwokururama hunoendesa kuutsvene. Pamakanga muri varanda vechivi, makanga makasununguka kubva pakutonga kwakarurama. Zvino makawaneiko panguva iyoyo kubva pazvinhu zvamunonyadziswa nazvo, iye zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu! Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. Hamuzivi here, hama, nokuti ndiri kutaura kuvanhu vanoziva murayiro, kuti murayiro une simba pamusoro pomunhu panguva yose yaanenge ari mupenyu chete? Somuenzaniso, mukadzi akawanikwa akasungwa nomurayiro kumurume wake panguva yose iyo murume wake anenge ari mupenyu, asi kana murume wake afa, anosunungurwa kubva pamurayiro wewaniso. Saka zvino, kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, anonzi chifeve. Asi kana murume achinge afa, asunungurwa kubva pamurayiro, uye haazi chifeve, kunyange zvake akawanikwa nomumwe murume. Saka, hama dzangu, nemiwo makafa kumurayiro kubudikidza nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe, kuna iye akamutswa kubva kuvakafa, kuitira kuti tigobereka chibereko kuna Mwari. Nokuti panguva yataitongwa nenyama, kuchiva kwechivi kwakamutswa nomurayiro kwaibata mumiviri yedu, kuti tibereke chibereko chorufu. Asi zvino, nokufa kune izvo zvakanga zvakatisunga, takasunungurwa kubva pamurayiro kuitira kuti tishumire nenzira itsva yoMweya, uye kwete nenzira yakanyorwa yekare. Zvino tichatiiko? Murayiro chivi here? Kwete! Zvirokwazvo ndingadai ndisina kuziva kuti chivi chii dai murayiro wakanga usipo. Nokuti ndingadai ndisina kuziva kuti kuchiva chii kudai murayiro usina kuti, “Usachiva.” Asi chivi, chakawana mukana kubudikidza nomurayiro, chakaita mandiri mitoo yose yokuchiva. Nokuti kunze kwomurayiro, chivi chakafa. Ndaiva mupenyu kare kunze kwomurayiro; asi pakauya mutemo, chivi chakava noupenyu uye ini ndikafa. Ndakaona kuti iwo mutemo waifanira kundipa upenyu, wakatozouyisa rufu. Nokuti chivi chichitora mukana wachakawaniswa nomutemo, chakandinyengera, uye kubudikidza nomutemo chikandiuraya. Saka naizvozvo, murayiro mutsvene, uye mutemo mutsvene, wakarurama uye wakanaka. Ko, zvino chakanaka chakazova rufu kwandiri here? Kwete napaduku pose! Asi kuti chivi chionekwe sechivi, chakabereka rufu kubudikidza nechakanaka, kuitira kuti kubudikidza nomutemo chivi chive chakaipa kwazvo. Tinoziva kuti murayiro ndowomweya; asi ini handizi woMweya, ndakatengeswa senhapwa kuchivi. Handinzwisisi zvandinoita. Nokuti zvandinoda kuita handizviiti, asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita. Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka. Saka zvino, handisiri ini ndinozviita, asi chivi chinorarama mandiri. Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita. Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handizini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita. Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri. Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari; asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu. Ndiri munhu ari pakutambudzika kwakadii! Ndiani achandinunura kubva mumuviri uno worufu? Mwari ngaavongwe kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu! Saka naizvozvo, ini pachangu, mupfungwa dzangu, ndiri muranda kumurayiro waMwari, asi panyama muranda kumurayiro wechivi. Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu. Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi, kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya. Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya. Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare; nokuti kufunga kwenyama kunovenga Mwari. Hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari, uye hakugoni kuzviita. Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu, Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wenyu wakafa nokuda kwechivi, asi Mweya wenyu mupenyu nokuda kwokururama. Uye kana Mweya waiye akamutsa Kristu kubva kuvakafa uchigara mamuri, iye akamutsa Kristu kubva kuvakafa achapawo upenyu kumiviri yenyu inofa kubudikidza noMweya wake unogara mamuri. Naizvozvo, hama, tine mungava, asi kwete wenyama, kuti tirarame maererano nezvainoda. Nokuti kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama noMweya munouraya mabasa akaipa omuviri, uye muchararama, nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari. Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, “Abha, Baba.” Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye. Nokuti ndinoti matambudziko atinawo nguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokudzungaira kukuru, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye akazviisa pasi pokudzungaira, mutariro yokuti zvisikwa pachazvo zvichazosunungurwa kubva pauranda hwokuora uye zvigoiswa pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino. Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu. Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare? Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira. Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko. Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari. Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga. Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji. Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakashayirawo mhosva; vaya vaakashayira mhosva, ndivo vaakakudzawo. Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa? Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye? Ndianiko achapa mhosva avo vakasarudzwa naMwari? Mwari ndiye anoshayira mhosva. Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu, ndiye akafa pamusoro pezvo, ndiye akamutswa akava mupenyu, ari kurudyi rwaMwari, uye anotinyengetererawo. Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose; tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.” Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu. Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene ndino kusuwa kukuru kwazvo neshungu dzisingaperi mumwoyo mangu. Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu, ivo vanhu veIsraeri. Kuva vana ndokwavo; nokubwinya ndokwavo, nesungano, nokupiwa kwomurayiro, nokunamata Mwari mutemberi uye zvipikirwa ndezvavo. Madzibaba ndaavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni. Hazvirevi kuti shoko raMwari rakakundikana. Nokuti havazi vose vari zvizvarwa zvaIsraeri vanova vaIsraeri. Uye nokuti zvavari vorudzi rwake, vose vana vaAbhurahama. Asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.” Namamwe mashoko, havazi vana panyama vanova vana vaMwari, asi vana vechipikirwa ndivo vanonzi vana vaAbhurahama. Nokuti aya ndiwo mashoko echipikirwa: “Panguva yakatarwa ndichauya, uye Sara achava nomwanakomana.” Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka. Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe, kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.” Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.” Zvino tichatiiko? Mwari haaruramisiri here? Kwete napaduku! Nokuti anoti kuna Mozisi: “Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni, uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.” Naizvozvo, hazvibvi pashungu kana pamabasa omunhu, asi patsitsi dzaMwari. Nokuti Rugwaro runoti kuna Faro, “Ndakakumutsira chikonzero ichochi, kuti ndiratidze simba rangu mauri uye kuti zita rangu rigoparidzwa panyika yose.” Naizvozvo Mwari anonzwira ngoni waanoda kunzwira ngoni, uye anoomesa mwoyo wouyo waanoda kuomesa. Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?” Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ ” Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi? Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa? Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya, kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kuvaHedheniwo? Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti, “Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu; uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu.” uye, Zvichaitika kuti paya painzi kwavari, “Hamuzi vanhu vangu; vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ” Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti, “Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara chete ndivo vachaponeswa. Nokuti Ishe achaisa mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.” Zvakaita sezvakamborehwa naIsaya achiti, “Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose akatisiyira zvizvarwa, tingadai takaita seSodhomu tingadai takaita seGomora.” Zvino tichatiiko? Tichati vaHedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda; asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana. Seiko zvisina kudaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.” Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu, nedombo rinovapinganidza kuti vawe, uye uyo anotenda kwaari haanganyadziswi.” Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndokwokuti vaponeswe. Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva. Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari. Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe. Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.” Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga?’ ” (ndiko kuburutsa Kristu) “kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ ” (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa). Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza: Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoshayirwa mhosva, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa. Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.” Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha kana muHedheni, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari, “nokuti ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.” Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira? Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!” Asi havazi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu. Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.” Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi; Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.” Uye Isaya, asingatyi anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka; Ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.” Asi pamusoro peIsraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.” Zvino ndinobvunza ndichiti, “Mwari akarasa vanhu vake here?” Kwete napaduku pose! Nokuti ini pachangu ndiri muIsraeri, chizvarwa chaAbhurahama, ndiri worudzi rwaBhenjamini. Mwari haana kurasa vanhu vake, avo vaakaziva pakutanga. Hamuzivi here zvinorehwa noRugwaro pandima inotaura nezvaEria, kuti akakumbira sei kuna Mwari pamusoro peIsraeri achiti, “Ishe vakauraya vaprofita venyu uye vakaputsa aritari dzenyu; ndini ndoga ndasara, uye vari kuedza kundiuraya”? Uye Mwari akamupindura achiti kudiniko? “Ndakazvichengetera varume zviuru zvinomwe vasina kupfugamira Bhaari.” Saizvozvowo, panguva ino varipo vakasara, vakasanangurwa nenyasha. Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha. Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Mwari akavapa mweya wehope, meso kuti vasaona, nzeve kuitira kuti vasanzwa, kusvikira nanhasi uno.” Uye Dhavhidhi anoti: “Tafura yavo ngaive musungo neriva, nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari. Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona; uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.” Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kuvaHedheni kuti Israeri ive negodo. Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kuvaHedheni, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii! Ndiri kutaura kwamuri imi vaHedheni. Sezvandiri mupostori wavaHedheni, ndinokudza ushumiri hwangu netariro yokuti zvimwe ndingamutsa godo kuvanhu vangu uye ndiponese vamwe vavo. Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, ko, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu kubva kurufu? Zvino kana chikamu chechikanyiwa chakapiwa sechibereko chokutanga chiri chitsvene, saka chikanyiwa chose chitsvene; kana mudzi uri mutsvene namatavi acho akadarowo. Kana mamwe matavi akavhuniwa, uye imi, kunyange muri muorivhi wokudondo, wakabatanidzwa pakati pamamwe, zvino mava nomugove pamwe chete nawo kubva pamudzi womuorivhi, musazvikudza pamusoro pamatavi ayo. Kana muchizvikudza murangarire izvi: Hamuzimi makatakura mudzi, asi kuti mudzi ndiwo wakakutakurai. Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa kuti ini ndibatanidzwe.” Ndizvozvo. Asi akavhuniwa nokuda kwokusatenda, uye iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi uve nokutya. Nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo. Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa. Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare. Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi? Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira vaHedheni vakakwana vapinda. Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “PaZioni pachabuda musununguri; achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho. Uye iyi ndiyo sungano yangu navo kana ndabvisa zvivi zvavo.” Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba, nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi. Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo, saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri. Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose. Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi! “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe? Kana akava mupi wake wamazano?” “Ndianiko akambopa kuna Mwari kuti Mwari angamuripirazve?” Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni. Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya. Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana. Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari. Nokuti sezvatino muviri mumwe une mitezo mizhinji, uye mitezo iyi yose haina basa rimwe chete, saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe. Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake. Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise; kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro. Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka. Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye. Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera. Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema. Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera. Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe. Asi: “Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya, kane ane nyota mupe chokunwa. Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.” Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka. Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari. Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa. Nokuti vatongi havatyisi vaya vanoita zvakanaka, asi vanotyisa vaya vanoita zvakaipa. Unoda kusunungurwa here kuti usatya ane simba rokutonga? Ipapo ita zvakanaka uye achakurumbidza. Nokuti iye muranda waMwari anofanira kuti akuitire zvakanaka. Asi kana ukaita zvakaipa, itya, nokuti iye haabati munondo pasina. Nokuti iye ndiye muranda waMwari, mutumwa wokutsamwa, anoranga vaiti vezvakaipa. Naizvozvo, zvinokosha kuzviisa pasi pavabati, kwete nokuti tinotya kurangwa chete, asi nokuda kwehanawo. Ndokusaka muchiripawo mitero, nokuti vabati varanda vaMwari, vanopa nguva yavo yose pakutonga. Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa. Musava nechikwereti kumunhu, kunze kwechikwereti chorudo mumwe kuno mumwe, nokuti anoda mumwe azadzisa murayiro. Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.” Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro. Uye itai izvi, muchinzwisisa nguva ino. Nguva yasvika zvino yokuti mupepuke kubva kuhope, nokuti ruponeso rwedu rwava pedyo zvino kupfuura zuva ratakatanga kutenda. Usiku hwava kutopfuura; kwava kutoedza. Saka ngatirasei mabasa edu erima uye tipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza. Ngatiraramei zvakafanira mararamiro apamasikati, tisingaiti kutamba kwakaipa uye nokudhakwa, kana upombwe, kana utere, kana gakava kana godo. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo. Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani. Kutenda kwomumwe kunomutendera kudya zvose, asi mumwe munhu ano kutenda kusina kusimba, anodya muriwo bedzi. Munhu anodya zvose ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi zvose ngaarege kupa mhosva munhu anodya, nokuti Mwari akamugamuchira. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe mhosva? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Uye achamira, nokuti Ishe anokwanisa kuita kuti amire. Mumwe munhu anokoshesa rimwe zuva kupfuura rimwe: mumwe munhu anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazvizivire kwazvo mumwoyo make. Uyo anokoshesa zuva rimwe, anozviitira Ishe. Uyo anodya nyama, anodya nokuda kwaShe, nokuti anovonga Mwari; uye naiye anorega kudya, anorega nokuda kwaShe, uye anovonga Mwari. Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira pachake, uye hakuna mumwe wedu anozvifira iye pachake. Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe. Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu. Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ” Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari. Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake. Somunhu ari muna Ishe Jesu, ndinoziva kwazvo kuti hakuna chokudya chine tsvina. Asi kana mumwe munhu akati chakasvibiswa, naizvozvo hachina kuchena kwaari. Kana hama yako ichikanganiswa nokuda kwezvaunodya, iwe hauchafambi murudo. Usaparadza hama yako, iyo yakafirwa naKristu, nokuda kwezvokudya. Usatendera kuti zvaunoti zvakanaka zvinzi zvakaipa. Nokuti umambo hwaMwari hauzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene, nokuti ani naani anoshumira Kristu nenzira iyi anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu. Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo. Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu. Zviri nani kusadya nyama kana kusanwa waini kana kusaita chimwe chinhu chinoita kuti hama yako iwe. Saka zvose zvaunotenda pamusoro pezvinhu izvi ngazvive pakati pako naMwari. Akaropafadzwa munhu asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanozvitenda. Asi munhu anonyunyuta ava nemhosva kana akadya nokuti kudya kwake hakusi kwokutenda; uye zvinhu zvose zvisingabvi pakutenda chivi. Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka. Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Kutuka kwaavo vakakutuka kwakawira pamusoro pangu.” Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro. Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu, kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamaka-gamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe. Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba kuti vaHedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavaHedheni; ndichaimbira zita renyu nziyo.” Uyezve zvinonzi, “Farai imi vaHedheni, pamwe chete navanhu vake.” Uyezve, “Rumbidzai Ishe, imi vaHedheni vose, uye muimbirei nziyo dzokurumbidza, imi marudzi ose.” Uyezve, Isaya anoti, “Mudzi waJese uchatunga, iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose; vaHedheni vachava netariro maari.” Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene. Ini pachangu ndinoziva kwazvo, hama dzangu, kuti imi pachenyu muzere nokunaka, makakwana muruzivo uye munogona kudzidzisana. Ndakunyorerai nokushinga kwazvo pamusoro pezvimwe zvinhu, sendinokuyeuchidzai zvakare, nokuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kuvaHedheni, ane basa rouprista rokuparidza vhangeri raMwari, kuitira kuti vaHedheni vagova chipiriso chinogamuchirwa kuna Mwari, chakanatswa naMweya Mutsvene. Naizvozvo ndinozvirumbidza muna Kristu Jesu muushumiri hwangu kuna Mwari. Nokuti handingatauri zvimwe zvinhu kunze kwezvinhu zvakaitwa naKristu kubudikidza neni mukutungamirira vaHedheni kuti vateerere Mwari nokuda kwezvandakataura uye ndikaita, nesimba rezviratidzo nezvishamiso, kubudikidza nesimba roMweya. Saka kubva kuJerusarema kusvika kwose kunyika yakapoteredza, kusvikira kuIrikumi, ndakaparidza kwazvo vhangeri raKristu. Chagara chiri chishuwo changu kuti ndiparidze vhangeri kunzvimbo dzisati dzaziva Kristu, kuti ndisavaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu. Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Avo, vakanga vasina kuudzwa nezvake vachaona, uye naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.” Ndokusaka ndakadziviswa kazhinji kuuya kwamuri. Asi zvino hapasisinazve imwe nzvimbo yandingashanda mumatunhu aya, uye sezvo pava namakore mazhinji ndichida kuuya kwamuri, ndine urongwa hwokuita izvi pandichaenda kuSipeini. Ndinovimba kuti ndichakushanyirai pandichapfuura noko uye kuti muzondibatsira parwendo rwangu ikoko, mushure mokunge ndambofadzwa nokuva nemi kwechinguva. Asi, zvino ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuJerusarema kundoshumira vatsvene variko. Nokuti veMasedhonia neveAkaya vakafadzwa kuti vagovane navarombo pakati pavatsvene vari muJerusarema. Nokuti vakaona zvakanaka kuti vaite izvi, uye zvirokwazvo vane ngava kuti vavaitire izvi. Nokuti kana vaHedheni vakagovanawo pazvinhu zvoMweya zvavaJudha, vane ngavawo kuvaJudha kuti vagoverane navo pazvinhu zvavo zvenyika ino. Saka mushure mokunge ndapedza kuita basa iri uye ndaona kuti vagamuchira chibereko ichi, ndichaenda kuSipeini uye ndichakushanyirai parwendo rwangu. Ndinoziva kuti pandichauya kwamuri, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu. Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, naShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni nokundinyengeterera kuna Mwari. Nyengeterai kuti ndinunurwe kune vasingatendi vari muJudhea uye kuti ushumiri hwangu muJerusarema hugamuchirwe navatsvene variko, kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari uye kuti ndimutsiridzwe pamwe chete nemi. Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni. Ndinoreverera kwamuri hanzvadzi yedu Febhi, muranda wekereke iri paSeniseria. Ndinokukumbirai kuti mumugamuchire muna She sezvinofanira vatsvene uye mumubatsire pazvinhu zvose zvaangashayiwa, nokuti akabatsira zvikuru vanhu vazhinji, kusanganisira neniwo. Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu. Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru. Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo. Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia. Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo. Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu. Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She. Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu. Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu. Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi. Kwazisai Herodhioni, hama yangu. Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She. Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She. Kwazisai mudikani wangu wapamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She. Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo. Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo. Kwazisai Firorogasi naJuria, naNerea nehanzvadzi yake naOrimbasi uye navatsvene vose vavanavo. Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai. Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo. Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri. Vanhu vakanzwa zvokuteerera kwenyu, naizvozvo ndine mufaro mukuru pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera pane zvakanaka, uye muve vasina chavanopomerwa pane zvakaipa. Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi. Timoti, anobata neni, anokukwazisai, sezvinoita Rusiasi naJasoni naSosipata, hama dzangu. Ini Teritiasi, ndanyora tsamba iyi ndinokukwazisai muna She. Gayosi, uyo akandigamuchira ini nekereke yose iri kuno, anokukwazisai. Erasitosi mubati wehomwe yemari yeguta nehama yedu Kwatosi vanokukwazisai. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni. Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura, asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende, kuna iye oga Mwari akachenjera ngakuve nokubwinya nokusingaperi kubudikidza naJesu Kristu. Ameni. Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositeni hama yedu, Kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vaya vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu uye vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vari kwose kwose vanodana kuzita raIshe wedu Jesu Kristu, Ishe wavo nowedu: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu. Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu. Nokuti maari makapfumiswa pazvinhu zvose, mukutaura kwenyu kwose uye nomuruzivo rwenyu rwose, nokuti uchapupu hwedu pamusoro paKristu hwakasimbiswa mamuri. Naizvozvo hapana kana chipo chomweya chamunoshayiwa pamunomirira nomwoyo wose kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu. Achakusimbisai kusvikira kumagumo, kuti murege kuva nechamungapomerwa pazuva raIshe wedu Jesu Kristu. Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka. Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga. Hama dzangu, vamwe venyu vokwaKirowe vakandiudza kuti pane gakava pakati penyu. Zvandinoreva ndezvokuti: Mumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe oti, “Ini ndiri waAporo,” mumwewo oti, “Ini ndiri waKefasi,” mumwe zvakare oti, “Ini ndiri waKristu.” Kristu akaparadzaniswa here? Pauro akarovererwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Makabhabhatidzwa muzita raPauro here? Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza kana mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayosi, kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoti akabhabhatidzwa muzita rangu. Hongu, ndakabhabhatidzawo veimba yaStefanasi; kunze kwaivavo, handirangariri kana ndakabhabhatidzazve mumwe munhu. Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo. Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera; ndichakonesa kuziva kwavanoziva.” Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa. VaJudha vanoda zviratidzo uye navaGiriki vanotsvaka uchenjeri, asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kuvaHedheni. Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu. Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havazi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo. Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba. Akasarudza zvinhu zvakazvidzwa zvenyika ino uye zvinhu zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo, kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake. Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu. Naizvozvo, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Anozvikudza ngaazvikudze muna She.” Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari. Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa. Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru. Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya, kuti kutenda kwenyu kurege kuva kwouchenjeri hwavanhu, asi kuve kwesimba raMwari. Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba. Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo. Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve; nezvisina kupinda mumurangariro womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.” Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake. Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari. Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari. Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena. Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya. Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya. Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu: “Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu. Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu. Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino. Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamuzi venyika here? Ko, hamuzi kufamba savanhuwo zvavo here? Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporo,” ko, hamuzi vanhuwo zvavo here? Aporo chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe. Ini ndakasima, Aporo akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa. Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu. Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari. Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo. Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu. Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga, basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe. Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake. Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto. Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri? Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, uye ndimi temberi yacho. Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera. Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,” uye zvakare, “Ishe anoziva kuti mifungo yavakachenjera haina maturo.” Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anozvikudza pamusoro pavanhu! Zvinhu zvose ndezvenyu, angava Pauro kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya, zvose ndezvenyu, uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari. Saka naizvozvo, vanhu vanofanira kutiona savaranda vaKristu uye savaya vakaitwa vachengeti vezvakavanzika zvaMwari. Zvino zvakafanira kuti vaya vakapiwa utariri vave vakatendeka. Chinhu chiduku duku kwandiri kana ndichitongwa nemi kana dare ripi zvaro romunhu; zvirokwazvo handizvitongi pachangu. Hana yangu yakachena, asi izvi hazviiti kuti ndive munhu akarurama. Ishe ndiye anonditonga. Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari. Zvino, hama dzangu, ndakaita zvinhu izvi kuupenyu hwangu uye nokuna Aporo nokuda kwenyu, kuitira kuti mudzidze kubva kwatiri zvinoreva chirevo chokuti, “Usaita zvinopfuura zvakanyorwa.” Ipapo hamungazvikudzi pamusoro pomumwe munhu muchimuenzanisa nomumwe. Nokuti ndianiko akakutsaura iwe kubva kuno mumwe? Chiiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, seiko uchizvikudza sousina kupiwa? Matova nezvose zvamunoda kare! Makatopfumiswa kare! Mava madzimambo, uye isu tisipo! Ndinoshuva sei kuti dai makava madzimambo kuitira kuti tigova madzimambo pamwe chete nemi! Nokuti ini ndinoona kuti Mwari akatigadza kuti tive vapostori vanoonekwa pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu. Takaitwa chiseko kunyika yose, kuvatumwa uyewo nokuvanhu. Tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera kwazvo muna Kristu! Isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba! Munokudzwa, isu tinozvidzwa! Kusvikira panguva ino isu tine nzara, uye tine nyota, takapfeka mamvemve, tinorohwa zvakaoma kwazvo, hatina pokugara. Tinoshanda nesimba namaoko edu. Kana tikatukwa tinoropafadza; kana tichitambudzwa, tinotsungirira; kana tichipomerwa mhosva, tinopindura zvinyoronyoro. Kusvikira panguva ino takaitwa setsvina yenyika, marara enyika. Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikuyambirei, savana vangu vandinoda. Kunyange zvazvo mune vachengeti vanosvika zviuru gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji, nokuti muna Kristu Jesu ndakava baba venyu kubudikidza nevhangeri. Naizvozvo ndinokukumbirai zvikuru kuti muve vateveri vangu. Nokuda kwechikonzero ichi ndatuma Timoti kwamuri, mwana wangu wandinoda, akatendeka muna She. Achakuyeuchidzai mararamiro angu muna Kristu Jesu, zvinoenderana nezvandinodzidzisa kwose kwose mukereke dzose. Vamwe venyu vava kuzvikudza, sokunonzi handisi kuzouya kwamuri. Asi ndichauya kwamuri nokukurumidza, kana Ishe achida, uye handizotsvaki chete kuti vanhu ava vanozvikudza vari kutaura sei, asi kutiwo vane simba rakadii. Nokuti umambo hwaMwari hauzi pakutaura bedzi asi pasimba. Munodeiko? Ndiuye kwamuri neshamhu here, kana norudo uye nomweya wounyoro? Zvinonzi pakati penyu pane upombwe, uye upombwe hworudzi rusakambonzwikwa kunyange pakati pavahedheni: Munhu anorara nomukadzi wababa vake. Uye munozvikudza! Mungadai musingachemi here uye makatodzinga munhu anoita zvakadai kuti musayanana naye? Kunyange zvangu ndisiri pakati penyu panyama, ndinemi mumweya. Uye ndatotonga kare pamusoro pomunhu akaita izvi, sokunonzi ndiripo. Pamunoungana pamwe chete muzita raIshe Jesu, ndinemi mumweya, uye simba raIshe Jesu riripo, isai munhu uyu kuna Satani, kuti nyama iparadzwe uye mweya wake ugoponeswa pazuva raShe. Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose? Bvisai mbiriso yakare kuti mugova chikanyiwa chitsva chisina mbiriso, sezvamuri chaizvo. Nokuti Kristu, gwayana redu rePasika, akabayirwa. Naizvozvo ngatiitei mutambo, tisingaiti nembiriso yakafa, mbiriso yoruvengo nokuipa, asi nechingwa chisina mbiriso, chingwa chokururama nezvokwadi. Ndakunyorerai mutsamba yangu kuti murege kufambidzana nemhombwe, handisi kureva vanhu venyika ino vanoita upombwe, kwete, kana vano ruchiva namakororo, kana vanonamata zvifananidzo. Nokuti kana zvadaro mungatobva panyika ino. Asi zvino ndinonyora kwamuri kuti musafambidzana naani zvake anozviti ihama asi ari mhombwe, kana kuti ano ruchiva, anonamata zvifananidzo, kana kuti chidhakwa kana gororo. Munhu akadaro musatombodya naye. Nokuti ibasa rangu here kuti nditonge avo vari kunze kwekereke? Hamufaniri kutonga avo vari mukereke here? Mwari ndiye achatonga avo vari kunze. “Dzingai munhu akaipa uyu abve pakati penyu.” Kana mumwe wenyu ane mhosva nomumwe, angatsunga here kumukwirira kumatare avasakarurama pano kumukwirira kuvatsvene? Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana muchazotonga nyika, ko, hamungagoni kutonga mhosva duku duku here? Ko, hamuzivi here kuti muchatonga vatumwa? Ko, kuzoti zvinhu zvoupenyu huno! Naizvozvo, kana mukapokana pamusoro pezvinhu zvakadai, gadzai savatongi kunyange vanhu vano kutenda kuduku vari mukereke. Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko, pangashayikwa munhu akachenjera pakati penyu here anogona kutonga mhosva pakati pavatendi? Asi panzvimbo yokuti mudaro, hama inokwirira hama kumatare avasingatendi! Izvi zvokuti makatokwidzana kumatare pakati penyu zvinoreva kuti makatokundwa kare. Munoregerereiko kubvuma kukanganisirwa? Munoregereiko kubvuma kubirwa? Asi imi, pachenyu munoba uye munoita zvisakarurama, muchizviitira kuhama dzenyu. Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume, kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari. Uye izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makashambidzwa, mukaitwa vatsvene, mukashayirwa mhosva nezita raIshe Jesu Kristu, uye noMweya waMwari. Ndinotenderwa zvinhu zvose, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Kwandiri zvinhu zvose zvinotenderwa, asi handidi kutongwa kana nechimwe. Zvokudya ndezvedumbu uye dumbu nderezvokudya, asi Mwari achaparadza zvose zviri zviviri. Muviri hauzi woupombwe, asi ndowaShe, uye naShe ndowomuviri. Mwari akamutsa Ishe kubva kuvakafa nesimba rake uye achatimutsawo. Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndingatora here mitezo yaKristu uye ndigoiita mitezo youpombwe? Kwete napaduku pose! Hamuzivi here kuti uyo anosangana nechifeve naiye ava muviri mumwe naye? Nokuti zvinonzi, “Vaviri ava vachava nyama imwe.” Asi uyo akasanganiswa naShe ava mumwe naye mumweya. Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake. Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu; makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu. Zvino pamusoro pezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi. Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake. Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake. Muviri womukadzi hauzi wake oga asi kuti ndowomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi wake oga asi kuti ndowomukadzi wakewo. Musanyimana, kunze kwokunge matenderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu. Ndinotaura izvi ndichikutenderai, kwete somurayiro. Ndinoshuva kuti dai vanhu vose vakaita seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipo chake chaakapiwa naMwari; mumwe ane chipo ichi mumwe ane icho. Zvino kune vasina kuwana nechirikadzi ndinoti: Zvakanaka kwavari kuti vasawana, sezvandiri. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, vanofanira kuwana, nokuti zviri nani kuwana pane kutsva. Kuna vakawana ndinopa murayiro uyu (kwete ini, asi Ishe): Mukadzi ngaarege kuparadzana nomurume wake. Asi kana akabva, ngaarege kuzowanikwazve, kana kuti ngaayanane nomurume wake. Uye murume haafaniri kuramba mukadzi wake. Kuna vamwe vose ndinoti (ini kwete Ishe): Kana hama ino mukadzi asingatendi uye mukadzi achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba. Uye kana mukadzi ane murume asingatendi uye murume achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba. Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nokuda kwomukadzi wake, uye mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene kubudikidza nomurume wake anotenda. Vana venyu vaizova netsvina, asi zvino vava vatsvene. Asi kana asingatendi akaenda, murege aende hake. Murume kana mukadzi anotenda haana kusungwa pakadai; Mwari akatidana kuti tigare murugare. Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko, kana uchaponesa murume wako? Kana, kuti iwe murume unoziva seiko, kana uchaponesa mukadzi wako? Zvisinei hazvo, mumwe nomumwe ngaararame upenyu hwaakagoverwa naIshe uye hwaakadanirwa naMwari. Izvi ndizvo zvandinorayira mukereke yose. Ko, munhu akadanwa atodzingiswa kare here? Ngaarege kuitwa asina kudzingiswa. Ko, munhu akadanwa asina kudzingiswa here? Ngaarege kudzingiswa. Kudzingiswa hakuzi chinhu uye kusadzingiswa hakuzi chinhu. Asi kuchengeta mirayiro yaMwari ndiko kunokosha. Mumwe nomumwe ngaagare ari zvaakanga ari paakadanwa naMwari. Wakanga uri muranda here pawakadanwa? Ngazvirege kukudya mwoyo; kunyange zvakadaro, kana uchigona kuva wakasununguka, ita saizvozvo. Nokuti uyo akadanwa naShe ari muranda, ava akasununguka muna She; zvimwe chetezvo, uyo akanga akasununguka paakadanwa ava muranda waKristu. Makatengwa nomutengo; musava varanda vavanhu. Hama, mumwe nomumwe, ngaarambe ari paakadanwa naMwari ari. Zvino pamusoro pemhandara: Handina murayiro unobva kuna Ishe, asi ndinokuudzai somunhu akapiwa ngoni naShe kuti ave akatendeka. Nokuda kwenhamo yazvino, ndinofunga kuti zvakanaka kuti munhu agare akadaro. Wakawana here? Usatsvaka kurambana. Hauna kuwana here? Usatsvaka mukadzi. Asi kana ukawana, hauna kutadza; asi kana mhandara ikawanikwa haina kutadza. Asi vaya vachawana vachasangana namatambudziko mazhinji muupenyu uye ini handidi kuti musangane nawo. Zvandinoreva hama dzangu, ndezvokuti nguva ipfupi. Kubva zvino zvichienda mberi vana vakadzi ngavararame savasina; vaya vanochema, savasingachemi; vanofara savasingafari; vanotenga chinhu, sokunonzi hachizi chavo; navaya vane zvinhu zvenyika ino, savasingabatiriri pazviri. Nokuti nyika ino sezvairi nhasi ichapfuura. Ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Murume asina kuwana anofunga zvaShe, kuti angafadza Ishe sei. Asi murume akawana anofunga pamusoro pezvinhu zvenyika ino, kuti angafadza mukadzi wake sei, uye zvaanoda zvakapatsanurwa. Mukadzi asina kuwanikwa kana mhandara anofunga nezvaShe: Chinangwa ndechokuzvipira kuna She panyama napamweya. Asi mukadzi akawanikwa anofunga zvenyika ino kuti angafadza murume wake sei. Ndiri kutaura izvi kuti zvikubatsirei, kwete kuti ndikudzivisei, asi kuti murarame munzira yakarurama muchizvipira kuna She zvizere. Kana mumwe achifunga kuti ava kuita zvisina kunaka kumhandara yaakatsidzira, uye kana ava namakore akafanira kana achida kumuwana, ngaaite zvaanoda. Haasi kutadza. Vanofanira kuwanana. Asi uyo munhu anenge azvifunga mupfungwa dzake, asina zvinomumanikidza iye kana achizvidzora, uye kana akatema mumwoyo make kuti haadi kuwana mhandara iyi, murume uyu aitawo chinhu chakanaka. Saka naizvozvo, uyo anowana mhandara iyi anoitawo zvakanaka, asi uyo asingawani anoita chinhu chakatonakisa. Mukadzi akasungwa nomurayiro kumurume wake kana achiri mupenyu. Asi kana murume wake akafa, asununguka kuti awanikwe nomurume waanoda, asi anofanira kuva muna She. Asi mukuona kwangu, angatonyanya kufara kana akagara akadaro, uye ndinofunga kuti neniwo ndino Mweya waMwari. Zvino, pamusoro pezvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti tose tino ruzivo. Ruzivo runouyisa kuzvikudza, asi rudo runovaka. Munhu anofunga kuti anoziva chinhu achigere kuziva zvaanofanira kuziva. Asi munhu anoda Mwari anozivikanwa naMwari. Saka naizvozvo, pamusoro pokudya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu zvachose panyika uye kuti hakuna Mwari, asi iye mumwe chete. Nokuti kunyange dai varipo vanonzi vamwari, kungava kudenga kana panyika (sezvavaripo zvirokwazvo “vamwari” vazhinji uye na“madzishe” mazhinji), asi isu tina Mwari mumwe chete, ivo Baba, zvinhu zvose zvakabva kwavari uye ndivo vatinoraramira; uye tina She mumwe chete, Jesu Kristu, zvinhu zvose zvakavapo kubudikidza naye, uye nesu tinorarama kubudikidza naye. Asi havazi vose vanoziva izvi. Vamwe vanhu vachakabatwa nezvifananidzo zvokuti kana vachidya zvakadai vanodya vachiti zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye sezvo hana yavo isati yasimba, inoshatiswa. Asi, zvokudya hazvingatisvitsi pedyo naMwari; hatina kuipa kana tisina kudya uye hatinatswi kana tadya. Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba. Nokuti kana mumwe asina simba achikuona iwe uno ruzivo urwu uchidya uri mutemberi yechifananidzo, ko, hana yaiye asina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabayirwa kuzvifananidzo here? Naizvozvo, hama iyi isina simba, iyo yakafirwa naKristu ichaparadzwa nokuziva kwako. Kana mukatadzira hama dzenyu zvakadai uye muchikuvadza hana dzavo dzisina simba, munotadzira Kristu. Naizvozvo, kana zvandinodya zvichigumbusa hama yangu handichazodyizve nyama, kuti ndirege kuzomugumbusa. Handina kusununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imi hamuzi chibereko chebasa rangu muna She here? Kunyange zvangu ndisiri mupostori kuna vamwe, zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri! Nokuti imi ndimi chisimbiso choupostori hwangu muna She. Uku ndiko kuzvidavirira kwangu kuna avo vanondigarira matare. Hatina kodzero yokuva nezvokudya nezvokunwa here? Hatina kodzero yokufamba nomukadzi mutendi here sezvinoita vamwe vapostori navanun'una vaShe naKefasi? Kana kuti ini ndoga naBhanabhasi ndisu tinofanira kushanda kuti tirarame? Ndianiko angandorwa muhondo achizviripira mubayiro? Ndianiko angasima munda wamazambiringa uye akasadya mazambiringa acho? Ndianiko angafudza makwai uye akasanwa mukaka wawo? Ko, ndinotaura izvo nokutaura kwavanhu here? Ko, murayiro haurevi zvimwe chetezvo here? Nokuti zvakanyorwa mumurayiro waMozisi, zvichinzi, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.” Ko, Mwari ane hanya nenzombe here? Zvirokwazvo anotaura izvi kwatiri, hazvisizvo here? Hongu, zvakanyorerwa isu, nokuti kana murimi achirima, nomupuri achipura, anofanira kuita izvi netariro yokuti achagoverwawo gohwo. Kana isu takadyara zvinhu zvomweya pakati penyu, chingava chinhu chikuru here kana tikakohwa zvinhu zvenyu zvenyama? Kana vamwe vane kodzero iyi yokuwana rubatsiro kubva kwamuri, hatifaniri kutowana zvikuru here? Asi hatina kushandisa kodzero iyi. Asi tinotambudzika pane zvose kuitira kuti tirege kukanganisa vhangeri raKristu. Hamuzivi here kuti vaya vanoshumira mutemberi vanowana zvokudya zvavo mutemberi, uye vanoshumira paaritari vanodya zvearitari? Saizvozvowo, Ishe akarayira kuti vanoparidza vhangeri vanofanira kuwana zvinovararamisa kubva pavhangeri. Asi handina kushandisa kana imwe yekodzero idzi. Uye handisi kunyora izvi ndine tariro yokuti muchandiitira zvinhu zvakadai. Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti mumwe munhu anditorere chinhu ichi chandinozvirumbidza nacho. Asi kana ndichiparidza vhangeri, handingazvirumbidzi, nokuti ndinosungirwa kuti ndiparidze. Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi vhangeri! Kana ndichiparidza nokuda kwangu, ndino mubayiro; kana ndichiita ndisingadi, ndiri kungoita chete izvo zvandakapiwa kuti ndiite. Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo uyu, kuti mukuparidza vhangeri ndizviite pasina muripo, uye ndisingashandisi kodzero dzangu mukuriparidza. Kunyange zvangu ndakasununguka uye ndisiri muranda womunhu, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomurayiro ndakava somunhu ari pasi pomurayiro (kunyange ini ndisiri pasi pomurayiro), kuti ndiwane vari pasi pomurayiro. Kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro (kunyange zvangu ndisina kusununguka kubva pamurayiro waMwari, ndiri pasi pomurayiro waKristu), kuti ndiwane vaya vasina murayiro. Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka. Ndinoita zvose izvi nokuda kwevhangeri, kuti ndigovere maropafadzo aro. Hamuzivi here kuti panhangemutange vanhu vose vanomhanya, asi mumwe chete ndiye anopiwa mubayiro? Mhanyai zvokuti mugowana mubayiro. Munhu wose anopinda mumitambo anozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi. Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo. Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro. Nokuti hama, dzangu, handidi kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore uye kuti vose vakayambuka gungwa. Vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nomugungwa. Vose vakadya zvokudya zvimwe chete zvoMweya uye vose vakanwa zvokunwa zvimwe chete zvomweya; nokuti vakanwa kubva padombo romweya rakafamba navo, uye dombo iri raiva Kristu. Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; mitumbi yavo yakaparadzirwa murenje. Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri semienzaniso kwatiri, kuti tirege kuisa mwoyo yedu pazvinhu zvakaipa sezvavakaita. Musanamata zvifananidzo, sezvakaita vamwe vavo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, uye vakasimuka kuti vatambe.” Hatifaniri kuita upombwe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakafa zviuru makumi maviri nezvitatu muzuva rimwe chete. Hatifaniri kuedza Ishe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakaurayiwa nenyoka. Uye murege kugununu'una sezvakaita vamwe vavo, uye vakazourayiwa nomutumwa wokuparadza. Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika. Saka, kana uchifunga kuti wakamira zvakasimba, chenjera kuti urege kuwa! Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi. Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo. Ndiri kutaura kuvanhu vakachenjera; zvitongerei pachenyu pane zvandinotaura. Ko, mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Uye chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here? Nokuti pane chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe, nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe. Cherechedzai vanhu veIsraeri: Ko, avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here? Ko, ndinoreva kuti chibayiro chinobayirwa chifananidzo chinhu here, kana kuti chifananidzo chinhu here? Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni. Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni. Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here? Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka. Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe. Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana, nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.” Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana. Asi kana mumwe akati kwauri, “Ichi chipiriso chakabayirwa,” rega kudya, nokuda kwaiye akuratidza, uye nokuda kwehana, ndinoreva hana yomumwe kwete yako. Nokuti kusununguka kwangu kungatongerweiko nehana yomumwe? Kana ini ndichidya ndavonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandavonga Mwari pamusoro pacho? Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa. Musagumbusa munhu upi noupi zvake, angava muJudha, kana muGiriki kana kereke yaMwari, kunyange sezvandinoedzawo kufadza munhu wose pazvinhu zvose. Nokuti handitsvaki zvakandinakira ini asi zvakanakira vazhinji, kuitira kuti vagoponeswa. Teverai muenzaniso wangu, sezvandinotevera muenzaniso waKristu. Ndinokurumbidzai nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, uye muchichengeta dzidziso, sezvandakakudzidzisai. Zvino ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu, uye musoro womukadzi murume, uye musoro waKristu ndiye Mwari. Murume mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake. Uye mukadzi mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake usina kufukidzwa, anoninipisa musoro wake, zvakangofanana nokuva nomusoro wakaveurwa. Kana mukadzi asingafukidzi musoro wake, anofanira kugera bvudzi rake; asi kana zvichinyadzisa mukadzi kuti agerwe bvudzi rake, anofanira kufukidza musoro wake. Murume haafaniri kufukidza musoro wake, sezvo ari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwomurume. Nokuti murume haana kubva pamukadzi, asi mukadzi ndiye akabva pamurume; uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi ndiye akasikirwa murume. Nokuda kwechikonzero ichi, uye nokuda kwavatumwa, mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake. Kunyange zvakadaro, muna She mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi. Nokuti mukadzi sezvaakabva pamurume, saizvozvowo murume anozvarwa nomukadzi asi zvose zvinobva kuna Mwari. Tongai imi pachenyu kuti: Zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro wake? Ko, hamudzidziswi namasikirwo ezvinhu kuti kana murume ane bvudzi refu, anonyadziswa nazvo here, asi kuti kana mukadzi ane bvudzi refu, ndiko kubwinya kwake? Nokuti bvudzi refu rakapiwa kwaari kuti rive chifukidzo. Zvino kana pane anoda kuita gakava pazviri, hatina tsika dzakadaro kunyange kereke dzaMwari. Pane zvakarayirwa zvinotevera handikurumbidzei, nokuti hamuunganiri zvakanaka asi zvakaipa. Chokutanga, ndakanzwa kuti pamunoungana pamwe chete sekereke, pane kupesana pakati penyu, uye ndingangozvitenda. Nokuti dzidziso dzakatsaukana dzinofanira kuva pakati penyu, kuti zvionekwe kuti vakatendeka kuna Mwari ndavapi. Pamunoungana, hachisi chirariro chaShe chamunodya, nokuti kana modya, mumwe nomumwe wenyu anongotanga kudya asingamiriri vamwe. Mumwe anosara ane nzara, mumwewo anodhakwa. Ko, hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Kana kuti munozvidza kereke yaMwari nokunyadzisa vasina chinhu here? Zvino ndichatiiko kwamuri? Ndingakurumbidzai nokuda kwaizvozvi here? Zvirokwazvo kwete! Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka. Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe. Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe. Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake. Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vamwe venyu vavete. Asi kana tikazviedza pachedu, hatingazotongwi. Kana tikatongwa naShe, tiri kurangwa kuitira kuti tirege kuzoraswa pamwe chete nenyika. Saka naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana pakudya, miriranai. Kana mumwe aine nzara, anofanira kudya kumba kwake, kuitira kuti pamunoungana pamwe chete murege kutongwa. Uye kana ndichinge ndasvika ndichakudzidzisai zvimwe. Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi. Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura. Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene. Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe. Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe. Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose. Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe. Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete, mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete, mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi. Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda. Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu. Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe. Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji. Kana rutsoka rukati, “Nokuti handizi ruoko, saka handizi womuviri,” harungaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko? Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive. Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko? Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!” Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo, asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi, kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo. Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo. Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyanasiyana. Vose vapostori here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita zvishamiso here? Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here? Asi shuvai kwazvo zvipo zvikuru. Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi kana ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere. Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handizi chinhu. Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu. Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi. Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi. Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi. Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose. Rudo harutongoperi. Zvino kana kuri kuprofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichagumiswa; kana rwuri ruzivo, ruchapfuura. Nokuti tinoziva zvisakakwana uye tinoprofita zvisakakwana, asi kana zvakakwana zvasvika, zvisakakwana zvichabviswa. Pandaiva mwana ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana. Zvino zvandava murume, ndakabvisa zvinhu zvoumwana. Nokuti zvino tinoona asi hationi zvakanaka somuchionioni; asi nenguva iyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisakakwana; asi ndichaziva zvizere, kunyange sezvandinozivikanwa zvizere. Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo. Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita. Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake. Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe. Uyo anotaura nendimi anozvisimbisa iye asi anoprofita anosimbisa kereke. Ndinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ataure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite. Anoprofita mukuru kuna anotaura nendimi, asi kunze kwokunge achidudzira, kuti kereke igosimbiswa. Zvino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai seiko, asi kuti kana ndichitaura nokuzarurirwa kana ruzivo kana chiprofita kana shoko rokurayira? Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorirawo wani, zvakaita senyere kana rudimbwa, munhu achaziva seiko kana zvisingasiyani pakurira kwazvo? Uyezve kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angagadzirira kundorwa? Zvakadaro nemi. Kana musingatauri mashoko nendimi dzinonyatsozikanwa, ko, pane anganzwa here zvamunotaura? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo. Zvirokwazvo panyika pane mitauro mizhinji yakasiyana-siyana, asi hakuna kana mumwe usina zvaunoreva. Zvino kana ndisinganzwisisi zvinotaurwa nomunhu, ndiri mutorwa kumutauri, uye naiyewo mutorwa kwandiri. Zvakadarowo nemi. Sezvo muchishuva zvipo zvoMweya, edzai zvikuru kushingairira zvipo zvinovaka kereke. Nokuda kwechikonzero ichi, ani naani anotaura nendimi anofanira kunyengetera kuti adudzirewo zvaanotaura. Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu ndiwo unonyengetera, asi kufunga kwangu hakuna zvibereko. Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu. Kana uchirumbidza Mwari nomweya wako, ko, uyo agere pakati pavasingazivi achati, “Ameni” seiko, pakuvonga kwako, sezvo asinganzwisisi zvauri kutaura? Unogona kunge uchivonga zvako zvakanaka, asi mumwe munhu haasimbiswi. Ndinovonga Mwari kuti ndinotaura nendimi zhinji kupfuura imi mose. Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi. Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru. MuMurayiro makanyorwa muchinzi: “Ndichataura kuvanhu ava, kubudikidza navanhu vedzimwe ndimi uye kubudikidza nemiromo yavatorwa, asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,” ndizvo zvinotaura Ishe. Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi. Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here? Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo, uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo. Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke. Kana mumwe achitaura nendimi, vaviri kana vatowanda, vatatu, ngavataure mumwe mushure momumwe, uye mumwe ngaadudzire. Kana pasina anodudzira, ari kutaura ngaanyarare mukereke uye ngaazvitaurire pachake nokuna Mwari. Vaprofita vaviri kana vatatu ngavataure uye vamwe ngavanyatsoongorora zvaataura. Uye kana kuzarurirwa kwasvika kuno mumwe munhu agere pasi, mutauri wokutanga ngaanyarare. Nokuti mose munogona kuprofita muchitevedzana mumwe mushure momumwe, kuitira kuti vose varayirwe uye vakurudzirwe. Mweya yavaprofita inozviisa pasi pavaprofita. Nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganyonga asi worugare. Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene, vakadzi ngavanyarare mukereke. Havatenderwi kutaura asi ngavazviise pasi sezvinoreva murayiro. Kana vachida kubvunza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti hazvina kufanira kuti mukadzi ataure mukereke. Ko, shoko raMwari rakatanga nemi here? Kana kuti rakasvika kwamuri moga here? Kana munhu achifunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chomweya, ngaatende kuti zvandinokunyorerai murayiro waShe. Kana akasatenda izvi, iye pachake ngaasatendwe. Naizvozvo, hama dzangu, ivai nechido chokuprofita, uye musadzivisa kutaura nendimi. Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira uye zvichitevedza mutemo. Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri. Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina. Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro, uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri. Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete. Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori, uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika. Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari. Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, nokuti ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni. Ipapo kunyange dai, ndiri ini kana ivo, izvi ndizvo zvatinoparidza, uye izvi ndizvo zvamakatenda. Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa? Kana kusina kumutswa kwavakafa, saka naizvozvowo Kristu haana kumutswa. Zvino kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo, saizvozvowo nokutenda kwenyu. Pamusoro pezvo, tichaonekwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu kubva kuvakafa. Asi haana kumumutsa kana zvirokwazvo vakafa vasingamutswi. Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa. Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu. Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo. Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose. Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete. Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidiza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe. Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake. Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose. Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu. Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose,” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu. Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose muna zvose. Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa? Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose? Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa.” Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari, ndinotaura izvi kuti munyadziswe. Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko vakafa vanomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita seiko?” Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa. Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho. Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo. Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe. Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe. Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya. Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa unoparara, unomutswa usisaparari; unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba; unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya. Kana kuno muviri wenyama, kune muviri womweyawo. Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga Adhamu akazova munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira, mweya unopa upenyu. Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya. Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga. Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga. Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga. Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari. Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa, sokupenya, mukubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa. Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa. Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapa tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.” “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?” Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro. Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina. Zvino pamusoro pezvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari: Itaiwo sezvandakarayira kereke dzavaGaratia kuti dziite. Nomusi wokutanga wevhiki roga roga, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure mari kubva pamari yake zvichienderana napaanowana napo, muiunganidze pamwe chete, kuitira kuti pandinouya kurege kuzounganidzwa zvipo. Zvino, kana ndasvika, ndichazopa matsamba okuzivisa kuvarume vamunenge masarudza uye ndichavatuma nechipo chenyu kuJerusarema. Kana zvakafanira kuti ndiendewo, vachaenda neni. Mushure mokupfuura nokuMasedhonia, ndichauya kwamuri, nokuti ndichapfuura nokuMasedhonia. Zvimwe ndichagara nemi kwechinguva, kana kutopedza nguva yechando, kuitira kuti mugondibatsirawo parwendo rwangu, kwose kwandinoenda. Nokuti handidi kukuonai zvino nokukushanyirai ndichingopfuura bedzi; ndine tariro yokuva nemi kwechinguvana, kana Ishe akatendera. Asi ndichati garei paEfeso kusvikira paPendekosti, nokuti ndazarurirwa musuo mukuru wokuita basa guru, uyewo kune vazhinji vanondipikisa. Kana Timoti akauya, chenjerai kuti agare nemi asina chaangatya ari pakati penyu nokuti anobata basa raShe, sezvandinoita neniwo. Naizvozvo, ngakurege kuva nomumwe anoramba kumugamuchira. Muperekedzei parwendo rwake norugare kuti akwanise kuuya kwandiri. Ndiri kumutarisira pamwe chete nehama. Zvino pamusoro pehama yedu Aporosi: Ndakamukurudzira kwazvo kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asingadi kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana. Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba. Itai zvinhu zvose murudo. Munoziva kuti mhuri yaStefanasi ndivo vakava vatendi vokutanga muAkaya, uye vakazvipira kushumira vatsvene. Ndinokukurudzirai hama, kuti muzviise pasi pavakadai saava uye pasi pavose vanobatana nesu pabasa, uye navanobata pariri. Ndakafara pakasvika Stefanasi, naFochunatasi naAkayikasi, nokuti vakandiitira zvamakanga musingagoni kundiitira imi. Nokuti vakazorodza mweya wangu uye neyenyuwo. Varume vakadai vanofanira kukudzwa. Kereke dziri mudunhu reEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna She, uyewo nekereke inoungana mumba mavo. Hama dzose dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene. Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu. Kana mumwe munhu asingadi Ishe, kutukwa ngakuve pamusoro pake. Uyai, imi Ishe! Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi. Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu. Ameni. Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, Kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose: Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichiva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari. Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu paupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu. Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo. Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu. Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatagona kutsunga, zvokuti takademba kufa. Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa. Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura, imi muchitibatsirawo neminyengetero yenyu. Ipapo vazhinji vachavonga pamusoro pedu nokuda kwenyasha zhinji dzatichapiwa pakupindurwa kweminyengetero yavazhinji. Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari. Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti, sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu. Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri. Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea. Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.” Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.” Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.” Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe. Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza, akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya. Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi. Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda. Saka ndakati mumwoyo mangu handingaitizve rumwe rwendo kwamuri runokutambudzai. Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achasara kuti andifadze kunze kwenyu imi vandinochemedza? Ndakanyora nenzira iyi kuitira kuti kana ndasvika ndirege kutsamwiswa navaya vaifanira kundifadza. Ndakanga ndine tariro mamuri mose, kuti muchagoverana neni mumufaro wangu. Nokuti ndakakunyorerai ndino kusuwa kukuru, nokurwadziwa mumwoyo uye nemisodzi mizhinji, kwete kuti ndikuchemedzei asi kuti ndikuzivisei udzamu hworudo rwangu kwamuri. Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda. Kurova uku kwavanhu vazhinji kwakamuringana. Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya. Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari. Chikonzero chakaita kuti ndikunyorerei chaiva chokuti ndione kana makanga muchigona kumira nokuteerera muzvinhu zvose. Kana muchiregerera munhu upi zvake neniwo ndinomuregerera. Uye zvandakaregerera, kana pane chinhu chandingaregerera, ndakaregerera pamberi paKristu nokuda kwenyu, kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva. Zvino pandakaenda kuTroasi kundoparidza vhangeri raKristu uye ndikaona kuti Ishe akanga andizarurira musuo, ndakanga ndisina rugare mumwoyo mangu, nokuti handina kuwanako Tito hama yangu. Saka ndakaonekana navo ndikaenda kuMasedhonia. Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose munhuwi woruzivo rwake. Nokuti isu tiri munhuwi wakanaka waKristu kuna Mwari pakati paavo vari kuponeswa navari kuparara. Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri munhuwi woupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai? Nokuti hatina kufanana navazhinji vanokanganisa shoko raMwari vachida kuwana mugove kubva pariri. Asi, tinotaura muna Kristu nokutendeka pamberi paMwari, savanhu vakatumwa naMwari. Tava kutangazve kuzvirumbidza here? Kana kuti tinotsvaka here, savamwe, tsamba dzinoenda kwamuri kana dzinobva kwamuri dzinotirumbidza? Imi pachenyu ndimi tsamba yedu, yakanyora pamwoyo yedu, inozivikanwa uye inoverengwa navanhu vose. Munoonekwa kuti muri tsamba yakabva kuna Kristu, basa roushumiri hwedu, yakanyorwa, kwete neingi, asi noMweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa emwoyo yavanhu. Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari. Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari. Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu. Zvino kana kushumira kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namavara pamabwe, kwakauya nokubwinya zvokuti vaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarisa pachiso chaMozisi nokuda kwokubwinya kwacho, kunyange kwakanga kuchipfuura hako, ko, kushumira kwaMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? Kana kushumira kwakauyisa kutongwa kuvanhu kuchibwinya, ko, kuzoti kushumira kunouyisa kururama kunobwinya zvikuru sei! Nokuti chaibwinya hachisisina kubwinya zvino kana tichichienzanisa nokubwinya kunochipfuura. Uye kana chakanga chichizopfuura chakauya nokubwinya, ko, kuzoti chinogara chichava nokubwinya kukuru sei! Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, takashinga zvikuru. Hatina kufanana naMozisi aiisa chifukidziro pachiso chake kuti vaIsraeri varege kuchitarisa kupenya pakwainge kwava kupera. Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu. Kunyange kusvikira zuva ranhasi kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chinofukidza mwoyo yavo. Asi kana munhu akatendeukira kuna She chete, chifukidziro chinobviswa. Zvino Ishe ndiye Mweya, uye pane Mweya waShe, pano kusununguka. Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya. Naizvozvo, sezvo tine ushumiri uhu kubudikidza netsitsi dzaMwari, hatiori mwoyo. Asi takaramba zvinhu zvakavanzika uye nenzira dzinonyadzisa; hatishandisi unyengeri, uye hatiminamisi shoko raMwari. Asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvireverera muhana yomunhu wose pamberi paMwari. Uye kunyange zvazvo vhangeri redu rakafukidzwa, rakafukidzwa kuna avo vari kuparara. Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari. Nokuti hatizviparidzi isu, asi Jesu Kristu saShe, uye isu savaranda venyu nokuda kwaJesu. Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu. Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu kuratidza kuti simba iri rinopfuura zvose rinobva kuna Mwari kwete kwatiri. Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa. Tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumuviri wedu. Nokuti isu vapenyu tinoramba tichiiswa kurufu nokuda kwaJesu, kuti upenyu hwake huratidzwe mumuviri wedu unofa. Saka naizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu hunobata mamuri. Kwakanyorwa kuchinzi: “Ndakatenda; naizvozvo ndikataura.” Nomweya mumwe chete iwoyo wokutenda takatendawo uye naizvozvo tinotaura, nokuti tinoziva kuti iye akamutsa Ishe wedu Jesu kubva kuvakafa achazotimutsawo pamwe chete naJesu uye agotisvitsa pamberi pake pamwe chete nemi. Izvi zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuitira kuti nyasha dziri kusvikira vanhu vazhinji dziwanze kuvonga kuti Mwari akudzwe. Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva. Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose. Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi. Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga. Pari zvino tinogomera, tichishuva kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, nokuti kana tichinge tapfekedzwa, hatizowanikwi takashama. Nokuti kana tiri mutende ino, tinogomera uye tichiremerwa, nokuti hatishuvi kugara tisina kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, kuti icho chinofa chimedzwe noupenyu. Zvino Mwari ndiye akatigadzirira chinhu ichi, uye akatipawo Mweya sorubatso, achisimbisa zvinouya. Naizvozvo tinotsunga mwoyo nguva dzose uye tinoziva kuti kana tichigara mumuviri, tiri kure naIshe. Tinorarama nokutenda, kwete nokuona. Ndinoti tinotsunga mwoyo, kuti, zviri nani kubva mumuviri uye ndive kumusha naShe. Saka chinangwa chedu ndechokuti timufadze, kunyange tiri mumuviri kana kunyange tisingagarimo. Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa. Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu. Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo. Kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu. Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa. Uye iye akafira vose, uye naizvozvo vose havachafaniri kuzviraramira pachavo asi iye akavafira uye akamutswazve kubva kuvakafa. Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuzivi saizvozvo. Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva! Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa. Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari. Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari. Savashandi pamwe chete naMwari tinokukurudzirai kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina. Nokuti iye anoti, “Ndakakunzwa panguva yenyasha dzangu, uye pazuva roruponeso ndakakubatsira.” Ndinokuudzai, zvino nguva yenyasha dzaMwari, zvino ndiyo nguva yoruponeso. Hatiisi chigumbuso munzira yomunhu, kuti ushumiri hwedu hurege kuzvidzwa. Asi savaranda vaMwari tinozvirumbidza pane zvakanaka munzira dzose: mukutsungirira kukuru; mumatambudziko; kuomerwa, uye nenhamo; mukurohwa, kusungwa nomubope; mukushanda zvakaoma, mukusavata nokushayiwa zvokudya; mukuchena, kunzwisisa, mwoyo murefu nengoni muMweya Mutsvene uye nomurudo rwechokwadi; mushoko rechokwadi uye nomusimba raMwari; nenhumbi dzokurwa nadzo dzokururama kuruoko rworudyi nokuruboshwe, mukukudzwa nomukusakudzwa, muguhu rakaipa neguhu rakanaka; tiri vechokwadi, asi tichionekwa savanyengeri; tinozivikanwa tichionekwa setisingazivikanwi; tinofa, asi tichiramba tichirarama, tinorohwa asi hatifi; savanochema, asi tichigara tichifara; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; setisina chinhu, asi tinazvo zvose. Takataura kwamuri pachena, imi vaKorinde, uye takazarura mwoyo yedu kwamuri. Hatisi kukunyimai rudo rwedu, asi imi munotinyima rwenyu. Sokutsinhana kwakanaka, ndinotaura sokuvana vangu, zaruraiwo mwoyo yenyu. Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana seiko nerima? Ko, Kristu anganzwanana seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nomugove weiko neasingatendi? Ko, temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.” “ ‘Saka budai mubve pakati pavo uye muzvitsaure,’ ndizvo zvinotaura Ishe. ‘Musabata chinhu chine tsvina, ini ndigokugamuchirai.’ ” “ ‘Ndichava baba venyu, uye imi muchava vanakomana vangu navanasikana vangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe Wamasimba Ose.” Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari. Tigadzirireiwo nzvimbo mumwoyo yenyu. Hatina munhu watakatadzira, hatina munhu watakanyengera, hatina munhu watakaitira zvisakarurama. Handitauri izvi kuti ndikupei mhosva; ndakambotaura kare kuti imi muri mumwoyo yedu zvokuti tingagona kurarama kana kufa pamwe chete nemi. Ndinovimba nemi zvikuru; ndinozvirumbidza zvikuru nokuda kwenyu. Ndinokurudzirwa zvikuru; mumatambudziko edu ose mufaro wangu hauna magumo. Nokuti patakasvika kuMasedhonia, muviri wedu uyu hauna kuwana zororo, asi takatambudzwa kumativi ose, zvaiti kukakavara kunze, kutya nechomukati. Asi Mwari anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza pakauya Tito, kwete nokuda kwokuuya kwake bedzi, asiwo nokuda kwokunyaradza kwamakamupa. Akatiudza nezvokundishuva kwenyu, kusuwa kwenyu kukuru, nokuva nehanya kwenyu pamusoro pangu, saka mufaro wangu wakava mukuru kwazvo. Kunyange zvazvo ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidembi nokuda kwaizvozvo. Kunyange zvangu ndakazvidemba, ndinoona kuti tsamba yangu yakakurwadzai, asi kwenguva duku chete, asi zvino ndinofara, kwete nokuti makachema, asi nokuti kusuwa kwenyu kwakaita kuti mutendeuke. Nokuti makava nokusuwa kukuru sezvaidiwa naMwari uye nokudaro hamuna kukuvadzwa nesu nenzira ipi zvayo. Nokuti kusuwa kwouMwari kunouyisa kutendeuka uko kunotungamirira kuruponeso uye hakuuyisi kudemba, asi kusuwa kwenyika kunouyisa rufu. Tarirai zvaitwa mamuri nokusuwa uku kwouMwari: kushinga kukuru kwakadii, ishungu dzakadii kuti muzvichenese, kutsamwa kwakadii nokutya kwakadii nechishuvo chakadii, nehanya yakadii, nokuda kuona kururamisira kuchiitwa kwakadii. Pazvinhu zvose mazviratidza kuti hamuna mhosva panyaya iyi. Saka kunyange zvangu ndakakunyorerai, ndakanga ndisingazviiti nokuda kwaiye akaita zvakaipa, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvakaipa, asi kuti pamberi paMwari mugone kuzvionera kuti makazvipira sei kwatiri. Naizvozvi zvose tinokurudzirwa. Pamusoro pokukurudzirwa kwedu, takanyanya kufadzwa zvikuru nokuona mufaro wakanga una Tito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose. Nokuti ndakanga ndazvirumbidza kwaari pamusoro penyu, uye hamuna kundinyadzisa. Asi sezvo zvose zvatakataura pamusoro penyu zvaiva chokwadi, saka kuzvirumbidza kwedu kuna Tito pamusoro penyu kwakaratidza kuti ndokwechokwadiwo. Uye rudo rwake kwamuri rukuru kwazvo paanorangarira kuti mose makanga muchiteerera, pamakamugamuchira nokutya nokudedera. Ndinofara kuti ndinogona kuvimba nemi zvizere. Uye zvino, hama, tinoda kuti muzive pamusoro penyasha dzakapiwa naMwari kukereke dzeMasedhonia. Pakati pokuedzwa kukuru, mufaro wavo mukuru nokushayiwa kwavo kukuru zvakaita kuti vape zvizhinji. Nokuti ndinopupura kuti vakapa napavaigona napo, uye kunyange kutopfuura pavaigona napo. Vakaita zvose izvi nokuda kwavo, vakakumbirisa kwazvo kwatiri kuti vawane mukana wokugoverana nesu muushumiri uhu kuvatsvene. Uye havana kuita sezvataifunga bedzi, asi kuti vakazvipa ivo pachavo kutanga kuna Ishe teverezvo vakapa kwatiri maererano nokuda kwaMwari. Saka takakumbira zvikuru Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzisewo basa iri renyasha kwamuri. Asi sezvamakapfuurisa pazvinhu zvose, pakutenda, pakutaura, pakuziva, napakushingaira kwose uye nomurudo rwenyu, onaiwo kuti mugonesese munyasha idzi dzokupa. Handizi kukurayirai, asi kuti ndinoda kuedza kutendeka kworudo rwenyu nokukuenzanisa nokushingaira kwavamwe. Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange zvake akanga ari mupfumi, asi nokuda kwenyu akava murombo, kuitira kuti kubudikidza nourombo hwake imi mugopfumiswa. Uye herino zano rangu pane zvichakubatsirai pachinhu ichi: Gore rakapera makava vokutanga kwete pakupa chete asiwo pakuva nechishuvo chokuzviita. Zvino pedzisai basa, kuitira kuti shungu dzenyu dzokuda kuita izvi, dzienzaniswe nokuzvizadzisa kwenyu, maererano napamunogona napo. Nokuti kana chido chiripo, chipo chinogamuchirwa, maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvaasina. Chishuvo chedu hachisi chokuti vamwe varerukirwe asi imi muchiremerwa, asi kuti pave nokuenzana. Panguva ino kuwana kwenyu kuchavawanisa zvavanoshayiwa, kuitirawo kuti kuwana kwavo kugokuwanisaiwo zvamunoshayiwa. Ipapo pachava nokuenzana, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akaunganidza zvakawanda haana kuva nezvakawandisa, uye akaunganidza zvishoma haana kuva nezvishoma shoma.” Ndinovonga Mwari, akaisa mumwoyo maTito hanya seyandinayo kwamuri. Nokuti Tito haana kugamuchira chikumbiro chedu bedzi, asi kuti ari kuuyawo kwamuri nokushingaira kukuru uye nokuda kwake hake. Uye tiri kumutumira kwamuri pamwe chete nehama inorumbidzwa nekereke dzose paushumiri hwevhangeri. Hazvisizvo zvoga, akasarudzwawo nekereke kuti atiperekedze pakutakura chipo, chatiri kundopa kuti tikudze Ishe pachake uye kuti tiratidze shungu dzedu dzokuda kubatsira. Tinoda kuchenjerera kuti kurege kuva nomunhu angatipa mhosva pamusoro pamabatiro atichaita chipo ichi chikuru. Nokuti tiri kuedza kwazvo kuita zvakanaka, kwete pamberi paShe chete asiwo pamberi penyu. Pamusoro pezvo, tiri kutuma hama yedu pamwe chete navo uyo akaratidza kwatiri nenzira dzakawanda kuti anoshingaira, uye zvino kunyanya nokuda kwokuvimba kwake kukuru nemi. Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu nomubati pamwe chete neni pakati penyu; kana dziri hama dzedu, ndivo vamiririri vekereke uye kukudzwa kwaKristu. Naizvozvo ratidzai varume ava chiratidzo chorudo rwenyu uye chikonzero chokuzvirumbidza kwenyu, kuitira kuti kereke dzigogona kuzviona. Handifaniri kunge ndichikunyorerai pamusoro poushumiri kuvatsvene. Nokuti ndinoziva kuda kwamunako kuti mubatsire, uye ndakanga ndichizvirumbidza nokuda kwaizvozvo kuna veMasedhonia, ndichivaudza kuti kubvira gore rakapera, imi vari muAkaya makanga matogadzirira kupa; uye kushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji vavo kuti vapewo. Asi ndiri kutumira hama kuitira kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu nokuda kwenyaya iyi kurege kuratidzwa pasina chinhu, asi kuti muve makagadzirira sezvandakataura kuti muite. Nokuti zvimwe kana vamwe veMasedhonia vakauya neni uye vakakuwanai musina kugadzirira, isu tisingarevi chimwe chinhu pamusoro penyu, tichanyadziswa nokuda kwokuti takanga tichivimba nemi. Saka ndakaona zvakafanira kuti ndikurudzire hama kuti dzikushanyirei pachine nguva uye kuti mugopedzisa kugadzirira nezvechipo chikuru chamakavimbisa. Ipapo chichava chipo chakagadzirirwa chakapiwa nomufaro, kwete sechipo chokumanikidzirwa. Rangarirai chinhu ichi: Ani naani anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma, uye ani naani anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji. Munhu mumwe nomumwe ngaape sezvaakafunga mumwoyo make kuti ape, kwete kupa achitsutsumwa kana kuti achimanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro. Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo; kururama kwake kunogara nokusingaperi.” Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji yokudyara uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu. Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe. Ushumiri uhu hwamunoita, hahusi hwokungopa vanhu vaMwari zvavanoshayiwa bedzi, asi kuti huri kufashukirawo mukuvonga kuzhinji kuna Mwari. Nokuda kwoushumiri uhwo hwamakazviratidza nahwo, vanhu vacharumbidza Mwari nokuda kwokuteerera kwenyu kunoenderana nokupupura kwenyu vhangeri raKristu, uye nokuda kwokugoverana kwenyu navo zvizhinji uye navamwe vose. Uye muminyengetero yavo pamusoro penyu mwoyo yavo ichakushuvai, nokuda kwenyasha huru kwazvo dzamakapiwa naMwari. Mwari ngaavongwe nokuda kwechipo chake chisingagoni kurondedzerwa! Nounyoro nokuzvidzora kwaKristu, ndinokumbira zvikuru kwamuri, ini Pauro, “ndinotya” zvikuru kana ndichitarisana nemi chiso nechiso asi, “handityi” kana ndisipo! Ndinokukumbirisai zvikuru kuti kana ndichinge ndasvika kwamuri ndirege kuzova nokushinga kwandinofanira kuva nako kuna vanhu avo vanofunga kuti tinorarama namararamiro enyika ino. Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino. Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare. Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu. Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa. Imi muri kungoonera zvinhu pamusoro bedzi. Kana munhu achivimba kuti iye ndowaKristu, ngaarangarirewo zvakare kuti isu tiri vaKristu sezvaakaitawo iye. Nokuti kunyange dai ndichizvirumbidza pachena pamusoro pesimba ratakapiwa naIshe rokukuvakai kwete rokukuputsirai pasi, handinganyadziswi nazvo. Handidi kuedza kuita sendinokutyisidzirai netsamba dzangu. Nokuti vamwe vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makukutu uye dzine chisimba, asi iye pachake haatyisi uye kutaura kwake hakuna maturo.” Vanhu vakadai vanofanira kuziva kuti zvatiri mumatsamba edu kana tisipo, ndizvo zvatichava pakuita kwedu kana tavapo. Hatidi kuedza kuzvienzanisa kana kuzvifananidza navamwe vanozvirumbidza. Pavanozviera vachizvienzanisa naivo pachavo, havana kuchenjera. Zvisinei, isu hatingazvirumbidzi kupfuura mwero wakafanira, asi tinogumisa mwero wokuzvirumbidza kwedu pabasa ratakapiwa naMwari, basa rinosvika kunyange kwamuri. Hatizi kupfurikidza mwero pakuzvirumbidza kwedu, sezvazvaizova kana dai takanga tisina kuuya kwamuri, nokuti takasvika kwamuri nevhangeri raKristu. Uyezve hatipfuuri miganhu yedu nokuzvirumbidza pamusoro pebasa rakaitwa navamwe. Tariro yedu ndeyokuti, pamunoramba muchikura pakutenda kwenyu, mashandiro edu pakati penyu achakurawo kwazvo, kuitira kuti tigoparidza vhangeri kumatunhu ari mberi kwenyu. Nokuti hatidi kuzvirumbidza nebasa rakaitwa kare munzvimbo dzavamwe vanhu. Asi, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze muna She.” Nokuti haazi uyo anozvirumbidza achanzi akatendeka, asi uyo anorumbidzwa naShe. Ndinovimba kuti muchava nomwoyo murefu zvishoma nokuda kwoupenzi hwangu; asi mava kutozviita kare. Ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari. Ndakakuitai vakavimbika kumurume mumwe chete, kuna Kristu, kuitira kuti ndigozogona kukusvitsai kwaari semhandara yakachena. Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaita Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu. Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo. Asi handifungi kuti ndiri muduku napaduku pose ku “vapostori vanopfuura vamwe vose.” Ndingava zvangu ndisinganatsi pakutaura, asi ndino ruzivo. Takanyatsojekesa izvi kwamuri nenzira dzose. Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuitira kuti imi mugokudzwa nokuparidzwa kwevhangeri raMwari kwamuri pachena pasina mutengo? Ndakabira dzimwe kereke pandakagamuchira rubatsiro kubva kwavari kuitira kuti ndigone kukushumirai. Uye pandakanga ndiri pakati penyu ndichishayiwa chimwe chinhu, handina kuva mutoro kuna ani zvake, nokuti hama dzakabva kuMasedhonia dzakandipa zvandaishayiwa. Handina kuda kuva mutoro nenzira ipi zvayo pakati penyu, uye ndicharamba ndichidaro. Zvirokwazvo sezvo chokwadi chaKristu chiri mandiri, hakuna munhu mudunhu reAkaya achandidzivisa pakuzvirumbidza uku. Seiko? Nokuti handikudei here? Mwari anoziva kuti ndinokudai! Uye ndicharamba ndichiita zvandiri kuita kuti ndishayise nzira kuna avo vanotsvaka mukana wokuti vaenzaniswe nesu pazvinhu zvavanozvirumbidza nazvo. Nokuti vanhu vakadai ndivo vapostori venhema, varume vanonyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu. Uye naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani pachake anozvishandura achizviita mutumwa wechiedza. Naizvozvowo hazvishamisi, kana varanda vake vachizvishandura vachizviita varanda vokururama. Magumo avo achava sezvakafanira maitiro avo. Ndinopamhidza kuti: Ngakurege kuva nomunhu anonditi ndiri benzi. Asi kana muchidaro, naizvozvo ndigamuchirei sebenzi, kuitira kuti ndigozvirumbidzawo zvishoma. Mukuzvirumbidza pachangu, handizi kutaura sezvinobva kuna She, asi sebenzi. Sezvo vazhinji vachizvirumbidza nenzira inoitwa nenyika, neniwo ndichazvirumbidza. Nokuti makava nomwoyo murefu nomufaro kumapenzi sezvo makachenjera! Nokuti munoitira mwoyo murefu kunyange munhu wose anokuitai varanda kana anokubirai kana anokutapai kana anokuzvidzai kana anokurovai kumeso. Ndichizvishora ndinobvuma kuti takanga tisina simba rokuti tiite izvozvo. Zvinotsunga vamwe vose kuti vazvirumbidze pamusoro pazvo, ndinotaura sebenzi, ini ndinotsungawo kuzvirumbidza pamusoro pazvo. Ivo vaHebheru here? Neniwo ndiri. Ivo vaIsraeri here? Neniwo ndiri. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahama here? Neniwo ndiri. Ivo varanda vaKristu here? Ndava kupenga, kana ndichitaura zvakadai. Ini ndiri muranda wake zvikuru. Ndakashanda zvokuvapfuura, ndakaiswa mutorongo kakawanda kuvapfuura, ndakarohwa zvikuru kwazvo, uye ndakatarisana norufu kazhinji. Kanosvika kashanu ndakarohwa navaJudha shamhu makumi matatu nepfumbamwe. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe chete ndakatakwa namabwe, katatu ndakaita tsaona nechikepe, ndakapedza usiku humwe namasikati ndiri pagungwa, ndakanga ndiri parwendo nguva zhinji. Ndakava panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwokwangu, panjodzi dzavaHedheni, panjodzi muguta, napanjodzi murenje, panjodzi mugungwa, napanjodzi pakati pehama dzenhema. Ndakabata basa nokutambura uye nguva zhinji ndichishayiwa hope; ndinoziva nzara nenyota uye kushayiwa zvokudya nguva zhinji; chando nokushayiwa chokupfeka. Kunze kwaizvozvi zvose, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose. Ndianiko anoshayiwa simba uye ndikasanzwa kushayiwa simba? Ndianiko anotungamirirwa muchivi uye ndikasarwadziwa mukati mangu? Kana ndichifanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza pamusoro pezvinhu zvinoratidza utera hwangu. Mwari naBaba vaIshe Jesu, uyo anofanira kurumbidzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema. MuDhamasiko mubati pasi pamambo Aretasi akaita kuti guta ravaDhamasiko ririndwe achida kuti andisunge. Asi ndakaburutswa ndiri mudengu napahwindo parusvingo uye ndikapunyuka pamaoko ake. Ndinofanira kuramba ndichizvirumbidza. Kunyange zvisina zvazvinobatsira, ndichapfuurira mberi ndigotaura pamusoro pezviratidzo nezvakazarurwa zvaShe. Ndinoziva mumwe munhu ari muna Kristu, uyo makore gumi namana akapfuura akakwidzwa kudenga rechitatu. Kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri handizivi, Mwari ndiye anoziva. Uye ndinoziva kuti munhu uyu, kana akanga ari mumuviri kana kuti akanga asiri mumuviri handizivi, asi Mwari ndiye anoziva, akakwidzwa kuparadhiso. Akanzwa zvinhu, zvinhu zvisingatsananguriki namashoko, zvinhu zvisingabvumirwi kuti munhu ataure. Ndichazvirumbidza pamusoro pomunhu akadai, asi handingazvirumbidzi pachangu, kunze kwoutera hwangu. Kunyange dai ndikasarudza kuzvirumbidza, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndinorega zvangu, kuitira kuti pashayikwe munhu angafunga kuti ndiri mukuru kupfuura zvandinoita kana kutaura. Kuti ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvandakazarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, mutumwa waSatani, kuti anditambudze. Katatu ndakakumbira kuna Ishe kuti aubvise pandiri. Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu. Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, nomunhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba. Ndakazviita benzi, asi imi ndimi makandisundira ikoko. Ndaifanira kunge ndichirumbidzwa nemi, nokuti handisi muduku duku pakati pa“vapostori vanopfuura vamwe vose,” kunyange zvangu ndisiri chinhu. Zvinhu zvinoratidza upostori, zviratidzo, zvishamiso namabasa esimba, zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru. Ko, imi makanga muri vaduku sei kune dzimwe kereke, kunze kwokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu? Ndiregererei pakutadza uku! Zvino ndagadzirira kukushanyirai kechitatu, uye handichazovi mutoro kwamuri, nokuti zvandinoda kwamuri haisi pfuma yenyu asi imi. Pamusoro pezvo vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki ndivo vanofanira kuchengetera vana. Saka naizvozvo ndichafara zvikuru kuti ndipedze zvose zvandinazvo nokuzvipedzawo ini pachangu nokuda kwenyu. Kana ndichikudai zvakanyanya, mungandida zvishoma here? Ngazvive saizvozvo, nokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu. Asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano! Ndakakutorerai chinhu here kubudikidza navarume vandakatuma kwamuri? Ndakurudzira Tito kuti auye kwamuri uye ndatumira hama yedu pamwe chete naye. Tito haana kukutorerai chinhu, akakutorerai here? Hatina kufamba nomweya mumwe chete here uye tikatevera nzira imwe chete? Makanga muchizvifunga here nguva yose iyi kuti takanga tichizvidavirira? Takanga tichitaura pamberi paMwari savaya vari muna Kristu; uye zvose, zvatinoita, vadikani, tinozviita kuti musimbiswe. Nokuti ndinotya kuti pandichauya kwamuri handingakuwanei muri zvandinoda kuti muve, uye mungandiwana ndisiri zvamunonditarisira kuti ndive. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvimwe ndingawana pakati penyu paine gakava, godo, kutsamwa kukuru, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi nenyonganiso. Ndinotya kuti kanaGoudy ndauya kwamuri zvakare, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, uye ndicharwadziwa nokuda kwavazhinji vakaita zvivi kare uye vasina kutendeuka kubva pakusachena kwavo, chivi choupombwe noutera hwavakaita. Uku ndiko kuchava kushanya kwangu kwechitatu kwamuri. Nyaya yose inofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu. Ndakakupai yambiro kare pandakanga ndinemi kechipiri. Zvino ndava kuzvipamhazve ndisipo: Pakuuya kwangu handizorege vaya vakatadza pakutanga kana vamwe vose, sezvo muchitsvaka chiratidzo chokuti Kristu ndiye anotaura kubudikidza neni. Haana utera pakubata kwake pakati penyu, asi ane simba kwazvo pakati penyu. Nokuti kuti muve nechokwadi, akarovererwa pamuchinjikwa muutera, asi anorarama nesimba raMwari. Zvimwe chetezvo nesuwo tinorarama muutera maari, asi nesimba raMwari tiri vapenyu pamwe chete naye kuti tikushumirei. Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda; zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti makakundikana? Uye ndinovimba kuti muchaona kuti hatina kukundikana. Zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa. Kwete kuti vanhu vaone kuti isu takakunda, asi kuti imi muite zvakarurama kunyange zvedu isu tichiita setakakundikana. Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopikisana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi chete. Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba asi imi muine simba; uye munyengetero wedu ndowokuti imi mukwaniswe. Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai. Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi. Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. Vatsvene vose vanokukwazisai. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nemi mose. Pauro mupostori, asina kutumwa zvichibva kuvanhu kana navanhu, asi naJesu Kristu uye naMwari Baba, iye akamumutsa kubva kuvakafa, nehama dzose dzineni, Kukereke dziri muGaratia: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive nemi, akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu, ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni. Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu uye muchitsaukira kune rimwe vhangeri, risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu. Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi! Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi! Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu. Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu. Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu. Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza. Ndakanga ndichishingaira kwazvo muchiJudha ndichipfuura vaJudha vazhinji vezera rangu uye ndakanga ndichishingairira tsika dzamadzibaba angu. Asi Mwari akanditsaura kubva pakuzvarwa kwangu uye akandidana nenyasha dzake, uye akafadzwa nazvo, kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri kuti ndimuparidze pakati pavaHedheni, handina kutongobvunza munhu, uye handina kuenda kuJerusarema kuti ndinoona vaya vakanga vari vapostori vakanditangira, asi nokukurumidza ndakaenda kuArabhia uye ndikazodzokazve kuDhamasiko pashure. Ipapo shure kwamakore matatu, ndakakwira kuJerusarema kuti ndinozivana naPetro uye ndikandogara naye kwamazuva gumi namashanu. Handina kuona vamwe vavapostori, kunze kwaJakobho munun'una waShe. Ndinotaura chokwadi pamberi paMwari kuti zvandinokunyorerai izvi hadzisi nhema. Pashure ndakaenda kuSiria nokuSirisia. Ndakanga ndisingazikanwi pachiso kukereke dzeJudhea dziri muna Kristu. Vakangonzwa zvakaziviswa bedzi zvokuti, “Munhu uya aititambudza kare ava kuparidza zvino kutenda kuya kwaakanga achiedza kuparadza.” Uye vakarumbidza Mwari nokuda kwangu. Mushure mamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusarema, panguva iyi ndakanga ndina Bhanabhasi. Ndakaendawo naTito. Ndakaenda nokuda kwokuzarurirwa uye ndikarondedzera pamberi pavo vhangeri randakaparidza pakati pavaHedheni. Asi ndakaita izvi kuna avo vakanga vari vatungamiri vari voga, nokuti ndaitya kuti ndakanga ndichimhanya kana kuti ndatomhanya nhangemutange yangu pasina. Asi kunyange naTito, akanga aneni, haana kumanikidzwa kuti adzingiswe, kunyange zvazvo akanga ari muGiriki. Nyaya iyi yakamutswa nokuda kwedzimwe hama dzenhema dzakanga dzapinda munzvimbo dzedu kuti vazosora rusununguko rwatinarwo muna Kristu Jesu uye kuti vagotiita nhapwa. Hatina kuvapa mukana napaduku, kuitira kuti chokwadi chevhangeri chigare mamuri. Kana vari vaya vanonzi vanoremekedzwa, hazvinei kuti vakanga vakadii kwandiri hazvina mutsauko; Mwari haatongi nezvinoonekwa zvokunze, varume ivavo havana chavakawedzera pashoko rangu. Zvisinei hazvo, vakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza vhangeri kuvaHedheni, sezvakaitwawo Petro kuvaJudha. Nokuti Mwari, iye akanga achishanda muushumiri hwaPetro somupostori kuvaJudha, akanga achishandawo muushumiri hwangu somupostori kuvaHedheni. Jakobho, Petro, naJohani, ivo vainzi mbiru, vakandimbunda ini naBhanabhasi noruoko rworudyi rwokuwadzana pavakaona nyasha dzandakanga ndapiwa. Vakabvuma kuti tinofanira kuenda kuvaHedheni, uye ivo vaende kuvaJudha. Zvavakangokumbira zvakanga zviri zvokuti isu tirambe tichirangarira varombo, chinova ndicho chinhu chandaidisa kuita. Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena. Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya navaHedheni. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kuvaHedheni nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa. Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo. Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza vaHedheni kuti vatevere tsika dzechiJudha? “Isu tiri vaJudha pakuzvarwa uye hatisi vatadzi ve‘chiHedheni’ uye tinoziva kuti munhu haashayirwi mhosva nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tishayirwe mhosva nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu achashayirwa mhosva nokuchengeta murayiro. “Kana tichitsvaka kuti tishayirwe mhosva muna Kristu, zvikazoonekwa kuti isu pachedu tiri vatadzi, zvinoreva here kuti Kristu anosimudzira chivi? Kwete napaduku! Kana ndikavakazve chandakamboputsa, ndinoratidza kuti ndiri mudariki womurayiro. Nokuti kubudikidza nomurayiro ndakafa kumurayiro kuitira kuti ndiraramire Mwari. Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu. Handikonesi nyasha dzaMwari, nokuti kana kururama kuchigona kuwanikwa nomurayiro, Kristu akafira pasina!” Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo. Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here? Makatambudzika zvakadai pasina here, dai zvakanga zviri pasina? Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.” Nzwisisai zvino, kuti avo vanotenda ndivo vana vaAbhurahama. Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa vaHedheni nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.” Saka avo vanokutenda ndivo vakaropafadzwa pamwe chete naAbhurahama, murume wokutenda. Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.” Zviri pachena kuti hapana munhu anoshayirwa mhosva nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.” Murayiro hauna kuvakwa pakutenda; asi hazvo, “Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.” Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.” Akatidzikinura kuitira kuti kuropafadzwa kwakapiwa Abhurahama kugosvika kuvaHedheni kubudikidza naKristu Jesu, kuitira kuti nokutenda tigogamuchira chipikirwa choMweya. Hama dzangu, regai ndipe muenzaniso woupenyu hwamazuva ose. Sezvo pasina munhu angakonesa kana kuwedzera kusungano yakaitwa navanhu kana yakatosimbiswa, zvakadarowo pana izvozvi. Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu. Zvandinoreva ndezvizvi: Murayiro, wakaziviswa mushure mamakore mazana mana ana makumi matatu, haungakonesi sungano yakasimbiswa kare naMwari uye nokudaro uchibvisa chipikirwa. Nokuti kana nhaka ichiwanikwa nokuda kwomurayiro, naizvozvo haichawanikwi nokuda kwechipikirwa; asi Mwari nenyasha dzake akaipa kuna Abhurahama kubudikidza nechipikirwa. Zvino, chinangwa chomurayiro chakanga chiri cheiko? Wakawedzerwa nokuda kwokudarika kusvikira Mwana akanga achirehwa nechivimbiso asvika. Murayiro wakashanda kubudikidza navatumwa uye nomurevereri. Kunyange zvakadaro hazvo, murevereri, haamiririri munhu mumwe chete; asi Mwari ndomumwe. Naizvozvo, murayiro unopikisana nechipikirwa chaMwari here? Kwete napaduku! Nokuti kana murayiro wakapiwa wakanga uchigona kupa upenyu, ipapo zvirokwazvo kururama kwaizouyawo nomurayiro. Asi Rugwaro runotaura kuti nyika yose yakapfigirwa nechivi, kuitira kuti chiya chakavimbiswa, chiri chakapiwa kubudikidza nokutenda kuna Jesu Kristu, chipiwe kuna avo vanotenda. Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa. Saka murayiro wakaiswa kuti utitungamirire kuna Kristu kuitira kuti tigoshayirwa mhosva nokutenda. Zvino kutenda zvakwasvika, hatichisiri pasi pomurayiro. Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu, nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makazvifukidza naKristu. Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. Kana muri vaKristu, ipapo muri vana vaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechipikirwa. Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose. Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake. Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika. Asi nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana. Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.” Saka hauchisiri nhapwa, asi mwanakomana; uye sezvo uri mwanakomana, Mwari akakuitawo mudyi wenhaka. Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo. Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here? Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore! Ndinotya nokuda kwenyu, zvokuti ndinenge ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira. Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri. Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye. Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai makanga maita izvozvo, maidai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri. Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here? Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira. Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi. Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri, ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure inzwi rangu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu. Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro? Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka. Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa. Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari. Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo. Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Fara iwe mukadzi asingabereki, asingabereki vana; iwe usingarwadziwi nokubereka; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouyo ano murume.” Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka. Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi. Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.” Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka. Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, uye murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa. Batai mashoko angu! Ini, Pauro, ndinokuudzai kuti kana muchidzingiswa, Kristu haachakosheswi kwamuri napaduku. Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose. Imi munoedza kushayirwa mhosva nomurayiro makaparadzaniswa naKristu; makabva panyasha. Asi nokutenda tinoshinga kwazvo kumirira kururama, kunova ndiko kwatine tariro nako kubudikidza noMweya. Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo. Makanga muchimhanya nhangemutange yakanaka. Ndianiko akakudzivisai uye akakukonesai kuteerera chokwadi? Kugombedzera ikoko hakuna kubva kuna iye anokudanai. Mbiriso shoma inovirisa bundu rose rakakanyiwa. Ndinovimba muna She kuti hamuchazogamuchiri dzimwe pfungwa. Iyeye anokunyonganisai achazviripira mhaka, yake angava ani zvake. Hama dzangu, kana ndichiri kuparidza nezvokudzingiswa, ko, ndichiri kutambudzirwei hangu? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa. Kana vari vaya vanokukuchidzirai, ndaida hangu kuti vazvigure zvinhu zvavo. Imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka. Asi regai kushandisa kusununguka kwenyu munyama; asi shandiranai murudo. Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.” Kana muchiramba muchirumana uye nokudyana, chenjererai kuti murege kuparadza mumwe nomumwe wenyu. Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo. Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro. Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo uye uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari. Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi. Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva. Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya. Ngatiregei kuzvikudza, tichimutsana mwoyo uye nokugodorana. Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwa. Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu. Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera. Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo, nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake. Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nouno mudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara. Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo. Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo. Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi. Tarirai kukura kwamavara andinoshandisa sezvo ndichikunyorerai imi noruoko rwangu! Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu. Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu. Ini ngandirege kutongozvikudza kunze kwomumuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, uyo kubudikidza nawo nyika yakarovererwa kwandiri, uye ini kunyika. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvirevi chinhu; chinokosha ndiko kuva chisikwa chitsva. Rugare nengoni kuna avo vanotevera murayiro uyu, kunyange kuIsraeri yaMwari. Pakupedzisira, ngakurege kuva nomunhu anonditambudza, nokuti ndakatakura mumuviri wangu mavanga aJesu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni. Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, Kuvatsvene vari muEfeso, vakatendeka muna Kristu Jesu: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. Kurumbidza ngakuve kuna Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu. Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo akatitemera kare kuti tiitwe savana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake, kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe. Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari dzaakawanza pamusoro pedu nouchenjeri hwose uye nokunzwisisa kwose. Uye akazivisa kwatiri chakavanzika chokuda kwake, maererano nomufaro wake wakanaka, waakafunga muna Kristu, kuti kuitwe pakukwana kwenguva, auyise pamwe chete zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika pasi pomusoro mumwe, anova Kristu. Iye watakasarudzwawo maari, tatemerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake, kuitira kuti isu, vakatanga kuva netariro muna Kristu, tive rumbidzo yokubwinya kwake. Nemi makaiswawo muna Kristu pamakanzwa shoko rechokwadi, iro vhangeri rokuponeswa kwenyu. Makati matenda, makaiswa rupau maari nechisimbiso, icho chivimbiso choMweya Mutsvene, anova ndiye rubatso runotitsidzira nhaka yedu kusvikira rudzikinuro rwaavo vari vaMwari chaivo rwaratidzwa, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe. Nokuda kwaizvozvi, pandakanzwa nezvokutenda kwenyu muna Ishe Jesu uye rudo rwenyu kuvatsvene vose, handina kurega kuvonga nokuda kwenyu, ndichikurangarirai muminyengetero yangu. Ndinoramba ndichikumbira kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya, akupei mweya wouchenjeri nokuzarurirwa, kuitira kuti mumuzive zviri nani. Ndinonyengeterawo kuti meso emwoyo wenyu avhenekerwe kuitira kuti mugoziva pfuma yenhaka yake yokubwinya muvatsvene, uye nesimba rake guru risingagoni kuenzaniswa kwatiri isu vanotenda. Iroro simba rakaita sokubata kwesimba rake guru, raakaita muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa akamugarisa kuruoko rwake rworudyi mudenga, pamusoro poutongi hwose noukuru, nesimba noushe, uye namazita ose angagona kurehwa, kwete panyika yazvino chete asiwo pane ichauya. Uye Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamugadza kuti ave musoro wezvinhu zvose nokuda kwekereke, iwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadza zvinhu zvose munzira dzose. Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi, izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri. Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa. Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha. Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa muchadenga muna Kristu Jesu, kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu. Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza. Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite. Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi vaHedheni pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu), rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika. Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu. Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwaiparadzanisa rwokuvengana, nokuparadza munyama yake murayiro nezvakarayirwa zvawo uye zvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare, uye mumuviri mumwe chete ayananise vose vari vaviri kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, akauraya kuvengana kwavo nawo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo. Nokuti kubudikidza naye isu tose tinopinda kuna Baba noMweya mumwe chete. Saka, hamuchisiri vatorwa navaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye neveimba yaMwari, makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake ari dombo rapakona. Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya. Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu imi vaHedheni: Zvirokwazvo makanzwa zvokugoverwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri nokuda kwenyu, kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora zvishoma. Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa kuziva kwangu muchakavanzika chaKristu, chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita vatsvene vaMwari. Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, vaHedheni vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye inhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu. Ndakava muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri kubudikidza nokushanda kwesimba rake. Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kuvaHedheni pfuma yaKristu isingawanikwi; uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose. Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga, maererano nevavariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu Ishe wedu. Maari uye kubudikidza nokutenda kwaari tigone kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi. Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudziko angu nokuda kwenyu, ndiko kukudzwa kwenyu. Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama namabvi pamberi paBaba, avo kubva kwavari mhuri yavo yose iri mudenga uye napanyika inowana zita rayo. Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati, kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo, muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii, uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari. Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu, ngaave nokubwinya mukereke uye muna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni. Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira. Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo. Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare. Pano muviri mumwe noMweya mumwe, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa, Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe; Mwari mumwe uye Baba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose. Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu. Ndokusaka zvichinzi: “Paakakwira kudenga, akatapa utapwa uye akapa zvipo kuvanhu vake.” (Zvinorevei kuti “akakwira” asi kuti akaburukawo kumativi ari pasi enyika? Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.) Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi, kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe kudzamara isu tose tasvika pahumwe hwokutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu. Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo. Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu. Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo. Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo. Vakasvibiswa mukunzwisisa kwavo uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mavari nokuda kwoukukutu hwemwoyo yavo. Vasisina hanya, vakasvika kuutera kuitira kuti vagoita mabasa ose etsvina, nokuchiva zvakawanda. Kunyange zvakadaro, imi hamuna kuziva Kristu saizvozvo. Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu. Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera; kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu; uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene. Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe. “Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchaka-ngotsamwa, uye musapa dhiabhori chinzvimbo. Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa. Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa. Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa. Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose. Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu. Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuwira uye sechibayiro kuna Mwari. Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari. Uye kufunga kusina maturo, nokutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga. Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari. Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro paavo vasingateereri. Naizvozvo musashamwaridzana navo. Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) uye muzive zvinofadza Ishe. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa, nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi: “Muka, iwe muvati, muka kubva kuvakafa, Kristu achavhenekera pauri.” Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa. Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi. Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya. Mutaure kuno mumwe nomumwe namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu, muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu. Muzviise pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu. Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She. Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo. Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose. Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko, uye ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa. Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake. Pana izvozvo zvose, hakuna munhu akatongovenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke, nokuti tiri nhengo dzomuviri wake. “Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete.” Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke. Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake. Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. “Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, “kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.” Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe. Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu. Musangovateerera kuti vakufarirei pavanenge vachikuonai chete, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yavo. Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu, nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka. Uye imi vatenzi, mubate varanda venyu nenzira imwe cheteyo. Musavatyisa, sezvo muchiziva kuti Tenzi wavo nowenyu ari kudenga, uye haana rusaruro maari. Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru. Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire. Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama, uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare. Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa. Torai ngowani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari. Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene. Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi, iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira. Tikiko, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita. Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa ichi, kuti muzive kuti takaita sei, uye kuti akukurudzirei. Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu. Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi. Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, Kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai. Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro nokuda kwokunzwanana kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino, ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu. Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari. Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu. Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa, kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu, muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari. Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri. Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wose nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu. Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka. Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri. Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani. Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara, nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu. Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, hungava upenyu kana rufu. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma. Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi! Ndiri pakati pezvinhu zviviri izvi: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza; asi zvinokosha zvikuru kwamuri kuti ndigare mumuviri uyu. Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda, kuitira kuti ndichinge ndinemi zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu. Zvisinei hazvo, mufambe henyu nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri, musingatyiswi nenzira ipi zvayo naavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa, uye naiye Mwari. Nokuti makapiwa imi nokuda kwaKristu kuti musangotenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike nokuda kwake, sezvo muri mukurwa kumwe chete uku kwamakandiona ndinako, uye kwamunoziva zvino kuti ndichinako. Kana muine kurudziro inobva pakubata naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa. Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake, asi zvavamwewo. Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu: Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu. Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika, uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye She, kuti Mwari Baba vakudzwe. Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera, nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka. Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina. Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose. Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni. Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu. Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka. Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu. Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri. Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei. Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza. Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhito, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azoona nezvokushayiwa kwangu. Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara. Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa. Naizvozvo ndinoshinga kwazvo kuti ndimutume, kuti pamunomuonazve mugofara uye ini ndive nokufunganya kushoma. Mugamuchirei muna She nomufaro mukuru, uye mukudze munhu akaita saiyeye, nokuti akapotsa afa nokuda kwebasa raKristu, akaisa upenyu hwake pangozi kuti akwanise kubatsira kwamakanga musingagoni kundiitira imi. Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna She! Harisi dambudziko kwandiri kuti ndinyore zvinhu zvimwe chetezvo zvakare kwamuri, uye zvinokuchengetedzai imi. Chenjererai imbwa dziya, vanhu vanoita zvakaipa, vaya vokucheka nyama. Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama, kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro. Kana pano munhu zvake anofunga kuti ane chikonzero chokuvimba nenyama, ini ndinazvo zvakawanda: ndakadzingiswa pazuva rorusere, ndiri mumwe wavanhu veIsraeri, worudzi rwaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro, ndiri muFarisi; kana kuri kushingaira, ndichitambudza kereke; kana kuri kururama kwomurayiro, handina mhosva. Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu. Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu. Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda. Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake, uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa. Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwaniswa, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho Kristu Jesu akandibatira. Hama, handioni kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichinanavira zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu. Isu tose takura tinofanira kuva nepfungwa iyoyo. Uye kana pane dzimwe nguva imi muchifunga zvakasiyana, izvozvowo Mwari achazvijekesa kwamuri. Ngatiraramei bedzi nezvatakawana. Batanai navamwe mukutevera muenzaniso wangu, hama, uye mucherechedze avo vanorarama zviri maererano netsika dzatakakudzidzisai. Nokuti, sezvandaimbokuudzai kare uye ndinodarozve kunyange zvino nemisodzi kuti, vazhinji vanorarama savavengi vomuchinjikwa waKristu. Magumo avo ndiko kuparadzwa kwavo, Mwari wavo idumbu ravo, uye kuzvirumbidza kwavo ndiko kunyadziswa kwavo. Pfungwa dzavo dzinofunga zvinhu zvenyika. Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu, uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yokuninipisa kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya. Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa! Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She. Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremendi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu. Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai! Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ari pedyo. Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, nomunyengetero uye nomukumbiro, nokuvonga, isai zvikumbiro kuna Mwari. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira hama, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai. Zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi. Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze. Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo. Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa. Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba. Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu. Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete; nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa. Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo. Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhito chipo chamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari. Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu. Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai. Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni. Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, Kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi. Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai, nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose, kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterewa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri rakasvika kwamuri. Munyika yose vhangeri iri riri kubereka zvibereko uye richikura sezvarakanga richiita pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa uye mukanzwisisa nyasha dzaMwari muzvokwadi yose. Makazvidzidza kubva kuna Epafrodhito, muranda pamwe chete nesu anodikanwa, mushumuri akatendeka waKristu nokuda kwedu, uye akatiudzawo nezvorudo rwenyu muMweya. Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai uye tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya uye nokunzwisisa. Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari, muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza. Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima uye akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi. Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose. Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari. Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru. Nokuti Mwari akafadzwa nazvo kuti uzere hwake hwose hugare maari, uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateerwa pamuchinjikwa. Kare makanga muri vatorwa kuna Mwari uye maiva vavengi mupfungwa dzenyu nokuda kwetsika dzenyu dzakaipa. Asi zvino akakuyananisai nomuviri waKristu kubudikidza norufu kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, vasina chavanopomerwa uye makasunungurwa kubva pakupomerwa kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro. Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke. Ini ndava muranda wayo nokutumwa kwandakaitwa naMwari kuti ndiise kwamuri shoko raMwari nokuzara kwaro, chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene. Kuna ivo, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavahedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya. Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tiise munhu wose akakwana muna Kristu. Nokuda kwaizvozvi, ndinoshanda nesimba, ndichirwisa nesimba rake rose, rinoshanda zvikuru mandiri. Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu uye naavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu. Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu, maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwamo. Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso. Nokuti kunyange ndisipo pamuri mumweya uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu. Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari, mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga. Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu uye nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu. Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri, nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba. Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu, makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kuvakafa. Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose, akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa. Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa. Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata. Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu. Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina. Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo uye namarunda, unokura sezvinoda Mwari. Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, munozviisa pasi pemitemo yayo here inoti: “Usabata! Usaravira! Usagunzva!”? Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu. Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokubata kwavo muviri kwakaipa, asi havakoshesi kudzivisa kuchiva kwomuviri. Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari. Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika. Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari. Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya. Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya. Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama. Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu. Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake uye mukafuka munhu mutsva, anovandudzwa mukuziva mumufananidzo woMusiki wake. Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingisa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose. Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu. Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe. Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana. Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye. Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She. Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha. Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe. Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo. Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika muzvinhu zvose; uye muzviite, kwete kuti vakuonei chete uye kuti mudikanwe navo, asi nokutendeka kwomwoyo uye nokutya Ishe. Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu, sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira. Ani naani anoita zvakaipa achatsiviwa nokuda kwezvakaipa zvake, uye hapana kutsaura vanhu. Vatenzi, ipai varanda venyu zvinhu zvakanaka uye zvakaenzana, nokuti munozviziva kuti nemiwo muna vaTenzi kudenga. Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga. Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa. Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira. Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose. Tikiko achakuudzai mashoko ose pamusoro pangu. Iye ihama inodikanwa kwazvo, mushumiri akatendeka nomushandi pamwe chete neni muna She. Ndiri kumutuma kwamuri nechinangwa ichi kuti muzive zvatiri uye kuti akurudzire mwoyo yenyu. Ari kuuya pamwe chete naOnesimo, hama yedu yakatendeka uye inodikanwa, anova mumwe wenyu. Vachakuudzai zvose zviri kuitika kuno. Musungwa pamwe chete neni Aristakusi anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi anokukwazisaiwo. (Makarayirwa zvokuita naye; kana asvika kwamuri, mumugamuchire.) Jesu anonzi Jasitasi, anokukwazisaiwo. Ava ndivo vaJudha bedzi pakati pavamwe vandinoshanda navo muumambo hwaMwari, uye vanondinyaradza. Epafurasi, mumwe wenyu nomuranda waKristu Jesu, anokukwazisai. Anogara achirwa muminyengetero nokuda kwenyu, kuti mumire makasimba mukuda kwose kwaMwari, makura uye muzere nokuziva. Ndinomupupurira kuti anokushandirai nesimba pamwe chete naavo vari paRaodhikea, napaHirapori. Shamwari yedu inodikanwa Ruka, chiremba, naDhemasi vanokukwazisai. Ndikwazisirei hama dziri paRaodhikea, naNimufa nekereke iri mumba make. Mushure mokuverengwa kwetsamba kwamuri, muone kuti yaverengwawo mukereke yeRaodhikea uye kuti nemiwo muverenge tsamba inobva kuRaodhikea. Muudze Akipasi kuti, “Ona kuti wapedza basa rawakagamuchira muna She.” Ini, Pauro ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu pachangu. Rangarirai ngetani dzangu. Nyasha ngadzive nemi. Pauro, Sirasi naTimoti, Kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu: Nyasha norugare ngazvive nemi. Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu. Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu. Nokuti tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kuti akakusarudzai, nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri namashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nokuziva kwakadzama. Munoziva kuti takagara sei pakati penyu nokuda kwenyu. Makava vateveri vedu uye navaIshe; pakati pokutambudzika kukuru, makagamuchira shoko nomufaro unopiwa naMweya Mutsvene. Nokudaro makava muenzaniso kuvatendi vose vari muMasedhonia neAkaya. Shoko raShe rakanzwika kubva kwamuri kwete muMasedhonia neAkaya bedzi, kutenda kwenyu muna Mwari kwakazivikanwa kwose kwose. Naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu pamusoro pazvo, nokuti ivo pachavo vanozivisa kuti takagamuchirwa sei navo. Vanotaura kuti makadzokera sei kuna Mwari muchibva kuzvifananidzo kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi, uye kuti mumirire Mwanakomana wake anobva kudenga, uyo waakamutsa kubva kuvakafa, Jesu, anotinunura kubva pakutsamwa kuchauya. Munoziva, hama, kuti kushanya kwedu kwamuri hakuna kuva pasina. Takanga tambotambudzika uye tikatukwa muFiripi, sezvamunoziva, asi norubatsiro rwaMwari wedu hatina kurega kukuparidzirai vhangeri rake pakati pokupikiswa kukuru. Nokuti chikumbiro chatinoita hachibvi pakukanganisa kana pamufungo usina kunaka, uye hatisi kuedza kukunyengerai. Asi, tinotaura savanhu vakatenderwa naMwari kuti tipiwe vhangeri. Hatisi kuedza kufadza vanhu asi Mwari, iye anoedza mwoyo yedu. Munozviziva kuti isu hatibati kumeso, uye hatina kuisa chifukidzo chokufukidza kukarira pfuma, Mwari ndiye chapupu chedu. Takanga tisingatsvaki kurumbidzwa kunobva kuvanhu, kwete kunobva kwamuri kana ani zvake. Savapostori vaKristu tingadai takava mutoro kwamuri, asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, samai vanochengeta vana vavo vaduku. Taikudai zvikuru zvokuti takafara kuti tigoverane nemi, kwete vhangeri raMwari bedzi, asi noupenyu hweduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Zvirokwazvo munorangarira, hama, kutambudzika kwedu nokuomerwa kwedu; takashanda usiku namasikati kuti tirege kuremedza munhu upi zvake patakanga tichiparidza vhangeri raMwari kwamuri. Imi muri zvapupu, uye naMwariwo, kuti takanga tiri vatsvene sei, vakarurama uye vasina chavangapomerwa pakati penyu imi vanotenda. Nokuti munoziva kuti takabata mumwe nomumwe wenyu sababa vanobata vana vavo, tichikukurudzirai tichikunyaradzai uye tichikukurudzirai kuti murarame zvakafanira kuna Mwari, iye anokudanai kuumambo hwake nokukubwinya kwake. Nesuwo tinotenda Mwari nguva dzose, nokuti pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko ravanhu, asi sezvariri, iro shoko raMwari, riri kubata mamuri imi vanotenda. Nokuti imi, hama, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhea, dziri muna Kristu Jesu: Makatambudzwa navanhu vomunyika menyu saizvozvo kereke idzodzo dzakatambudzwa zvimwe chete navaJudha, ivo vakauraya Ishe Jesu uye navaprofita uye vakatidzinga nesuwo. Havana kufadza Mwari uye vanorwa navanhu vose mukushinga kwavo kutidzivisa kuti titaure kuvahedheni kuti vaponeswe. Nenzira iyi vanoramba vachiunganidza zvivi zvavo kusvikira kumagumo. Kutsamwa kwaMwari kwazosvika pamusoro pavo pakupedzisira. Asi, hama, patakanga taparadzaniswa nemi kwechinguva chiduku (pakuonekwa, kwete mupfungwa), mukushuva kwedu kukuru takaedza chose kukuonai. Nokuti takanga tichida kuuya kwamuri, chokwadi, ini Pauro, ndakada kuita izvozvo, nguva nenguva, asi Satani akatidzivisa. Nokuti tariro yedu ndeipiko, mufaro wedu kana korona yatichazvirumbidza nayo pamberi paIshe wedu Jesu paanouya? Ko, hamuzimi here? Zvirokwazvo ndimi kubwinya kwedu nomufaro wedu. Saka patakanga tisingagoni kuramba takamira, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene. Takatuma Timoti, anova ndiye hama yedu nomushandi waMwari pamwe chete nesu pakuparadzira vhangeri raKristu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu, kuti parege kuva nomunhu anozungunutswa nemiedzo iyi. Munozviziva chose kuti takanga takagadzirirwa izvozvo. Kunyanya pataiva nemi, takaramba tichikuudzai kuti tichatambudzwa. Uye zvakabva zvaita saizvozvo, sezvamunoziva kwazvo. Nokuda kwaizvozvo, pandakanga ndisisagoni kutsunga, ndakatuma shoko kuti ndizive nezvokutenda kwenyu. Ndakatya kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai uye kubata kwedu kwakava pasina. Asi Timoti achangosvika kwatiri zvino achibva kwamuri uye akauya namashoko akanaka ezvokutenda kwenyu norudo rwenyu. Akatiudza kuti munogara muchifunga zvakanaka nezvedu uye kuti munoshuva kutiona, sezvatinoshuva nesuwo kukuonai. Naizvozvo, hama, mukutambudzika kwedu kwose uye nokutambudzwa kwedu, takakurudzirwa pamusoro penyu nokuda kwokutenda kwenyu. Nokuti zvino tiri vapenyu chose, sezvo imi mumire nesimba muna She. Tichavonga Mwari zvizere sei nokuda kwenyu kuti tidzorere mufaro wose watinawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu? Usiku namasikati tinonyengetera zvikuru kuti tikuoneizve uye kuti tizadzise zvinotayira pakutenda kwenyu. Zvino Mwari wedu, Baba pachavo naIshe wedu Jesu ngavatizarurire nzira kuti tiuye kwamuri. Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri. Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose. Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera. Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu. Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari; uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai. Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene. Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene. Zvino kana rwuri rudo kuhama, hatitsvaki kukunyorerai, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kuti mudanane. Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera. Shingirirai kuti mugare upenyu hworunyararo, muchibata basa renyu namaoko enyu, sezvatakakuudzai, kuitira kuti upenyu hwamazuva ose huwane kukudzwa navari kunze uye kuitira kuti murege kusendamira kuno mumwe munhu. Hama, hatidi kuti muve vasingazivi pamusoro paavo vavete, kana kuchema savamwe vavo, vasina tariro. Isu tinotenda kuti Jesu akafa uye akamukazve, nokudaro isu tinotenda kuti Mwari achauyisa pamwe chete naJesu avo vakavata maari. Samashoko aShe pachake, tinokuudzai kuti isu vachiri vapenyu, vachasara kusvikira pakuuya kwaShe, zvirokwazvo hatizotangiri avo vakavata. Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka. Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi. Naizvozvo kurudziranai namashoko aya. Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei, nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku. Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki. Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima. Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora. Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku. Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani. Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye. Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino. Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai. Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu. Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose. Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose. Farai nguva dzose; rambai muchinyengetera; vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu. Musadzima moto woMweya; musazvidza zviprofita. Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka. Regai zvakaipa zvose. Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita. Hama, tinyengeterereiwo. Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene. Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi. Pauro, Sirasi naTimoti, Kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari ivo Baba nokuna Ishe wedu Jesu Kristu. Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura. Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri. Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira. Mwari akarurama: Achatsiva nokutambudzika kuna avo vanokutambudzai, uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womo-to unopfuta ane vatumwa vake vane simba. Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu. Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake, pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri. Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka uye basa rose rakamutswa nokutenda kwenyu. Tinonyengeterera izvi kuitira kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, uye imi maari, maererano nenyasha dzaMwari wedu naIshe Jesu Kristu. Pamusoro pezvokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu uye nokuungana kwedu kwaari, tinokukumbirai, hama, kuti murege kuzungunuswa kana kuvhundutswa nechimwe chiprofita, chiziviso kana tsamba inonzi yakabva kwatiri, ichiti zuva raShe ratosvika. Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa. Achapikisa uye achazvisimudzira pamusoro pezvinhu zvinonzi Mwari kana zvinonamatwa, nokudaro anozvigadza mutemberi yaMwari achizviita Mwari. Hamurangariri here kuti pandaiva nemi ndaisikuudzai zvinhu izvi? Uye iye zvino munoziva chinomudzivisa, kuti aratidzwe nenguva yakafanira. Nokuti chakavanzika chesimba rokutsauka chotoshanda basa; asi uyo anomudzivisa zvino acharamba achiita izvozvo kusvikira iye abviswa. Uye ipapo munhu wokutsauka achazoratidzwa, uyo achaparadzwa naIshe Jesu nokufema kwomuromo wake, achimuparadza nokubwinya kwokuuya kwake. Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana, uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uye kuti vagoponeswa. Nokuda kwaizvozvi, Mwari anovatumira mweya une simba wokunyengera kuti vatende nhema uye kuti vose vagotongwa, avo vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvakaipa. Asi tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama dzinodiwa naIshe, nokuti kubva pakutanga Mwari akakusarudzai kuti muponeswe nebasa rokuchenesa roMweya uye nokutenda chokwadi. Akakudanirai izvi nevhangeri redu, kuti mugovane mukubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Saka zvino, hama mirai nesimba uye mubatirire kudzidziso dzatakakudzidzisai, neshoko romuromo kana netsamba. Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka, ngaakurudzire mwoyo yenyu uye akusimbisei mumabasa nomumashoko ose akanaka. Pakupedzisira, hama, mutinyengetererewo kuti shoko raShe rikurumidze kuparadzirwa uye kuti rikudzwe, sezvazvakanga zvakaita kwamuri. Uye munyengetere kuti tirwirwe kubva pano wakaipa, nokuti havasi vose vanotenda. Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kunowakaipa. Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai. Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu. Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri. Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi, uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri. Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere. Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.” Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe. Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira. Uye kana murimi, hama, musaneta pakuita zvakanaka. Kana pano munhu asingateereri kurayira kwedu mutsamba iyi, mumungwarire. Musafambidzana naye, kuitira kuti anyare. Asi musamutora somuvengi, asi mumuyambire sehama. Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose. Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu, chinova ndicho chiratidzo mutsamba dzangu dzose. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari Muponesi wedu naKristu Jesu tariro yedu, Kuna Timoti mwanakomana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu. Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema, kana kuzvipira kungano nokunhoroondo dzamazita amadzitateguru dzisingaperi. Izvi zvinongomutsa nharo panzvimbo yebasa raMwari rinoitwa nokutenda. Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi. Vamwe vakarasika kubva pazvinhu izvi uye vakatsaukira mukutaura kusina maturo. Vanoda kuva vadzidzisi vomurayiro, asi havazivi zvavari kutaura pamusoro pazvo kana izvo zvavari kushingira kusimbisa. Tinoziva kuti murayiro wakanaka kana munhu achiushandisa zvakanaka. Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu, mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi inosimbisa vhangeri rokubwinya, raMwari akaropafadzwa, iro raakapa kwandiri. Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake. Kunyange zvazvo ndaimbomhura Mwari ndiri mutambudzi nomunhu wokumanikidza, ndakaitirwa ngoni nokuti ndakazviita mukusaziva uye nomukusatenda. Nyasha zhinji dzaIshe wedu dzakadururwa pamusoro pangu, pamwe chete nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu. Herino shoko rezvokwadi rinofanira kutendwa kwazvo: Kristu Jesu akauya munyika kuti aponese vatadzi, ini ndiri mukuru wavo. Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi. Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperiperi. Timoti, mwanakomana wangu, ndinokupa murayiro uyu maererano nezvakaprofitwa kare pamusoro pako, kuti kana ukautevera ucharwa kurwa kwakanaka. Wakabata kutenda uye nehana yakanaka. Vamwe vakaramba mirayiro iyi vakarasikirwa nokutenda kwavo. Vamwe vavo ndiHimenio naArekizanda, avo vandakaisa kuna Satani kuti vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari. Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, madzimambo uye navose vari vakuru, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene. Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu. Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi. Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu. Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira. Uye nokuda kwechikonzero ichi ndakaitwa muparidzi nomupostori, ndinokuudzai chokwadi, handisi kureva nhema, uye ndiri mudzidzisi wokutenda kwechokwadi kuvaHedheni. Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo. Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji, asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari. Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose. Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara. Nokuti Adhamu ndiye akatanga kuumbwa, tevere Evha. Uye Adhamu haasi iye akanyengerwa; mukadzi ndiye akanyengerwa uye akava mutadzi. Asi vakadzi vachaponeswa nokubereka vana kana vachirambira mukutenda, murudo noutsvene, uye nokuzvidzora. Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika. Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa, asingadhakwi, asingarwi uye ano unyoro, asina gakava, asingakariri mari. Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka. (Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta seiko kereke yaMwari?) Asava mutendi mutsva, nokuti angazozvikudza uye akazotongwa zvimwe chetezvo sadhiabhori. Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuitira kuti arege kuzvidzwa, uye agowira mumusungo wadhiabhori. Saizvozvowo, madhikoni ngavave vanhu vanokudzwa, vanorevesa, vasinganwi waini zhinji, uye vasingatsvaki pfuma yakaipa. Vanofanira kuchengetedza zvakadzikadzika zvokutenda nehana yakanaka. Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni. Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose. Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka. Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokutsunga kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu. Kunyange zvazvo ndine tariro yokuuya kwauri nokukurumidza, ndinokunyorera dzidziso idzi kuitira kuti, kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi. Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya. Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda uye vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni. Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa. Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi. Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga, nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera. Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera. Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako asi umwari hunokosha pazvinhu zvose, hune vimbiso kune zvose muupenyu huno uye nomuupenyu hunouya. Iri ishoko rechokwadi rinofanira kutendwa zvizere uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda. Rayira uye udzidzise zvinhu izvi. Munhu ngaarege kuvapo anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo. Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa. Usarega kushandisa chipo chako, chakapiwa kwauri kubudikidza neshoko rechiprofita pawakaiswa maoko pamusoro navakuru. Shingaira pazvinhu izvi, uzviite nomwoyo wako wose, kuitira kuti munhu wose aone kupfuurira mberi kwako. Uzvichengete kwazvo iwe nedzidziso yako. Utsungirire pazviri, nokuti kana ukazviita, uchazviponesa iwe navanokunzwa. Usatsiura murume mukuru nehasha, asi utaure naye sounotaura nababa vako. Vaduku uvabate savanun'una vako. Vakadzi vakuru savanamai, uye vakadzi vaduku sehanzvadzi, nokuchena kwose kwomwoyo. Ipa rukudzo rwakafanira kuchirikadzi dziri chirikadzi chaidzo. Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari. Chirikadzi iri chirikadzi chaiyo uye yakasara ichingova yoga inoisa tariro yayo kuna Mwari uye inogara ichinyengetera nokukumbira kuna Mwari usiku namasikati. Asi chirikadzi inoraramira kuzvifadza yakafa ichiri mhenyu. Rayirawo vanhu zvinhu izvi, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angapomerwa. Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi. Hakuna chirikadzi inganyorwa pamazita echirikadzi kana isina makore anopfuura makumi matanhatu, yakanga yakatendeka kumurume wayo, uye ichinyatsozivikanwa pamabasa ayo akanaka, akafanana nokurera vana, nokubata vaeni zvakanaka, kushambidza tsoka dzavatsvene, kubatsira vaya vari mumatambudziko, uye yakazvipira kuita pamabasa ose akanaka. Asi kana dziri chirikadzi duku usadzinyora pamazita aya. Nokuti kana nyama yadzo yakunda kuzvipira kwadzo kuna Kristu, dzichazotsvaka kuwanikwa. Naizvozvo dzichazvivigira kutongwa, nokuti dzinenge dzaputsa kutenda kwadzo kwokutanga. Pamusoro pezvo, dzinoita tsika dzokuva nousimbe uye dzichipota nedzimba. Uye hadzizi simbe bedzi, asi vaitiwo vamakuhwa, uye vasina basa ravanoita, vachitaura zvisakafanira. Naizvozvo ndinoti kuchirikadzi duku ngadziwanikwe, kuti dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo uye kuti dzisapa muvengi mukana wokupomera nawo. Vamwe vakatotsauka kare vachitevera Satani. Kana mukadzi upi zvake mutendi aine chirikadzi mumhuri yake, anofanira kudzibatsira uye arege kuita kuti kereke iremedzwe nadzo, kuitira kuti kereke igone kubatsira chirikadzi dziri kushayiwa zvechokwadi. Vakuru vanobata kereke zvakanaka vakafanira kukudzwa zvakapetwa kaviri, zvikuru sei vaya vanoita basa rokuparidza nokudzidzisa. Nokuti Rugwaro runoti, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo,” uye “Mushandi akafanirwa nomubayiro wake.” Usagamuchira mhaka inopomerwa mukuru kunze kwokunge yauyiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu. Avo vanotadza vanofanira kutsiurwa pamberi pavanhu, kuitira kuti vamwe vagoyambirwa. Ndinokurayira, pamberi paMwari naKristu Jesu uye napamberi pavatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete mirayiro iyi zvakanaka, uye usingaiti uchitsaura vanhu. Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pomunhu, uye usabatana nezvivi zvavamwe. Zvichengete kuti uve wakachena. Rega kunwa mvura yoga, uye unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako uye nokurwararwara kwako. Zvivi zvavamwe vanhu zvinoonekwa pachena, zvichivatangira kusvika panzvimbo yokutongwa; zvivi zvavamwe zvinotevera mushure mavo. Nenzira imwe cheteyo, mabasa akanaka anoonekwawo pachena, uye kunyange naasina kudaro haangavanzwi. Vose varanda vari pasi pejoko rouranda vanofanira kukudza vatenzi vavo zvizere, kuitira kuti zita raMwari uye nedzidziso yedu zvirege kumhurwa. Avo vana vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza nokuda kwokuti ihama. Asi kutoti vanofanira kuvashumira zviri nani, nokuti vaya vanobatsirwa nebasa ravo vatendi, uye vadikanwi kwavari. Izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kuvadzidzisa uye nokuvarayira. Kana munhu achidzidzisa dzidziso dzenhema uye asingabvumi dzidziso yakanaka yaIshe wedu Jesu Kristu uye nedzidziso youmwari, anongozvikudza uye haazivi chinhu. Anongofarira nharo nokukakavara pamusoro pamashoko asingabatsiri, anongomutsa godo, gakava, kutukana nokufungidzirana zvakaipa, uye nokupesana kusingaperi pakati pavanhu vane murangariro wakaora, vakabirwa zvokwadi uye vanofunga kuti umwari inzira yokuwana nayo mari. Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi. Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo. Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji uye kunokuvadza kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji. Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro. Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. Ndinokurayira, pamberi paMwari, anopa upenyu kuzvinhu zvose, napamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paakapa uchapupu pamberi paPondio Pirato, kuti uchengete murayiro uyu, usina chinongo kana chaungapomerwa kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu, uyo achazoratidzwa naMwari panguva yake iye Mwari, iye oga Mutongi akaropafadzwa, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe. Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisingaswederwi, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni. Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo. Varayire kuti vaite zvakanaka, uye kuti vafarire kupa vamwe uye nokugovana. Vachazviunganidzira pfuma senheyo yakasimba kunguva dzinouya, kuti vagobatisisa upenyu hunova upenyu kwechokwadi. Timoti, chengeta icho chawakapiwa. Furatira unhu husina umwari nepfungwa dzinopikisa, dzezvinonzi pakutaura kwenhema zivo, idzo dzakapupurwa navamwe uye nokudaro vakatsauka kubva pakutenda. Nyasha ngadzive newe. Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, maererano nechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu, Kuna Timoti mwanakomana wangu anodikanwa: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu, Ishe wedu. Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati. Ndichirangarira misodzi yako, ndinoshuva kukuona, kuti ndigozadzwa nomufaro. Ndinoyeuchidzwa kutenda kwako kusinganyengeri, kwakanga kuri muna mbuya vako Roisi uye nomuna mai vako Yunisi pakutanga, uye zvino ndinoziva kuti kunogarawo mauri. Nokudaro ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu pamusoro wako. Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, noworudo nowokuzvidzora. Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari, akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri. Uye ndakaitwa muparidzi, mupostori nomudzidzisi wevhangeri iri. Ndokusaka ndichitambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro. Zvawakanzwa kubva kwandiri, zvichengete sedzidziso yechokwadi, nokutenda norudo muna Kristu Jesu. Chengetedza chakanaka chiri mauri chawakapiwa, chichengetedze uchibatsirwa naMweya Mutsvene anogara matiri. Unoziva kuti vose vari mudunhu reEzhia vakandisiya, kusanganisirawo naFigero naHerimogene. Ishe ngaaitire imba yaOnisifero ngoni, nokuti kazhinji anondisimbisa uye haana kunyadziswa nengetani dzangu. Asi kutoti, paakanga ari muRoma, akanditsvaga kwazvo kusvikira andiwana. Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kubva kuna Ishe pazuva iro! Iwe unoziva kwazvo kuti akandibatsira zvikuru sei muEfeso. Zvino iwe mwanakomana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu. Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe. Tsungirira pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu. Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, anoda kufadza mukuru wake wehondo. Zvimwe chetezvo, kana munhu achikwikwidza somumhanyi, haagoni kuwana korona yokukunda kunze kwokunge apedza nhangemutange sezvakarayirwa. Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko. Funga pamusoro pezvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pane izvi zvose. Rangarirai Jesu Kristu, akamuka kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi. Iri ndiro vhangeri rangu, randinotambudzikira kunyange kusvikira pakusungwa segororo. Asi shoko raMwari harina kusungwa. Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi. Herino shoko rechokwadi: Kana takafa pamwe chete naye, tichararamawo pamwe chete naye; kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye. Kana tikamuramba, iye achatirambawo; kana tikasava nokutenda, iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi. Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera. Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi. Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari. Dzidziso yavo ichanyenga seronda. Pakati pavo pana Himenayo naFireto, vakatsauka kubva pazvokwadi. Vanoti kumuka kwavakafa kwakatopfuura, uye vanoparadza kutenda kwavamwe. Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.” Muimba huru mune midziyo kwete yegoridhe kana yesirivha chete, asiwo yamatanda, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. Kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakawanirwa basa naTenzi uye wakagadzirirwa basa rose rakanaka. Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara. Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi. Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi, uye kuti vachapengenuka vagopunyuka kubva mumusungo wadhiabhori, akavaita nhapwa kuti vaite kuda kwake. Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira. Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene, vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo. Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji, vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi. Sezvakaita Jonasi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika. Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose. Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira, matambudziko, nhamo, zvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, kutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose. Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu woumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa, asi vanhu vakaipa navanonyengera vachanyanyisa kuipa, vachinyengera nokunyengerwa. Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani, uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurairidza mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo agadzirirwa mabasa ose akanaka. Ndinokurayira pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga vapenyu navakafa uye pamusoro pokuonekwa kwake noushe hwake kuti: Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka. Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo. Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano. Asi iwe, usvinure pazvinhu zvose, tsungirira pamatambudziko, uite basa romuvhangeri, uite mabasa ose oushumiri hwako. Nokuti ini ndava kutodururwa sechipiriso chinonwiwa, uye nguva yangu yokuenda yasvika. Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange yangu, ndachengeta kutenda kwangu. Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake. Ita napaunogona napo pose kuti ukurumidze kuuya kwandiri, nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia. Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo paushumiri hwangu. Ndakatuma Tikiko kuEfeso. Paunouya, uuye nejasi randakasiya naKapasi paTiroasi, uye uuye nebhuku rangu, zvikuru magwaro amatehwe. Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji. Ishe achamutsiva pane zvaakaita. Newewo umuchenjerere, nokuti akapikisa zvikuru mashoko edu. Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo. Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti vaHedheni vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba. Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni. Ndikwazisire Pirisira naAkwira neveimba yaOnesifero. Erasito akasara kuKorinde, uye ndakasiya Tirofimo paMireto achirwara. Ita napaunogona napo pose kuti uuye kuno chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, uyewo naPudhenzi, naRino, naKiraudhiyo uye nehama dzose. Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive newe. Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari, kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo, panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, Kuna Tito, mwanakomana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Muponesi wedu. Ndakakusiya paKirete kuti upedzise zvakasara zvisina kupera uye kuti ugadze vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira. Mukuru anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, munhu ane vana vanotenda uye vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori kana kuti havateereri. Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa. Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata. Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa. Nokuti kune vazhinji vasingateereri vanongotaura zvisina maturo uye vanyengeri, zvikuru sei vaya veboka rokudzingiswa. Vanofanira kunyaradzwa miromo yavo, nokuti vari kuparadza mhuri dzizere vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, uye vachizviita kuti vawane pfuma yakaipa. Kunyange mumwe wavaprofita wavo akati, “VaKirete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.” Uchapupu uhu ndohwechokwadi. Naizvozvo vatsiure zvikuru, kuti varurame pakutenda uye kuti varege kuteerera ngano dzavaJudha, kana kurayira kwavanhu vakaramba chokwadi. Kune vakachena, zvinhu zvose zvakachena, asi kuna avo vakaora uye vasingatendi, hakuna chinhu chakachena. Asi kutoti zvose pfungwa dzavo nehana dzavo zvakaora. Vanoti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo. Vanonyangadza, havateereri uye havana kufanirwa nokuita chinhu chakanaka. Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama. Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama pakutenda naparudo uye nomukutsungirira. Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka. Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo, kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari. Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore. Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu. Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, kuti varege kupindurana navo, uye kuti varege kuvabira, asi kuti varatidze kuti vakatendeka zvikuru kwazvo, kuitira kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose. Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose. Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino, takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu, akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka. Zvino, izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kudzidzisa. Kurudzira uye utsiure nesimba rose. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza. Uyeuchidze kuti vanhu vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka, kuti varege kuchera vamwe, kuti vagare murunyararo uye vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose. Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, uye takatapwa nokuchiva kwose uye nezvinofadza. Taigara muruvengo negodo, tichivengwa nokuvengana. Asi pakaratidzwa ngoni norudo rwaMwari Muponesi wedu, akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu, kuitira kuti mushure mokunge tashayirwa mhosva nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi. Iri ishoko rezvokwadi. Uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, kuitira kuti vaya vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira munhu wose. Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri. Yambira munhu anotsausa, kokutanga uye ugomuyambirazve kechipiri. Mushure mezvo usava nechokuita naye. Uve nechokwadi chokuti munhu akadaro akatsauka uye mutadzi; akazvirasa iye amene. Pandichatuma Atema kana Tikiko kwauri, edza napaunogona napo pose kuti uuye kwandiri paNikopori, nokuti ndichagarako panguva yechando. Ita zvose zvaungagona kuti ubatsire Zenasi mududziri womurayiro naAporo parwendo rwavo uye uite kuti varege kushayiwa chinhu. Vanhu vedu vanofanira kudzidza kuzvipira kuita zvakanaka, kuitira kuti vagone kutibatsira pazvinhu zvinodiwa mazuva ose uye kuti vasararama upenyu husina zvibereko. Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ukwazise vose vanotida mukutenda. Nyasha ngadzive nemi mose. Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, Kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu, kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako: Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu, nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose. Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu. Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene. Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi muna Kristu kuti ndikurayire zvaunofanira kuita, asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimo, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu. Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni. Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo. Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri. Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako. Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She. Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita. Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri. Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri. Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu. Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira. Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengeretero yenyu. Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai, uyewo Mako, Aristako, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako. Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana, asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga. Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo. Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari: “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?” kana kutizve, “Ndichava Baba vake, naiye achava Mwanakomana wangu?” Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.” Achitaura pamusoro pavatumwa anoti: “Anoita vatumwa vake mhepo, varanda vake mirazvo yomoto.” Asi pamusoro poMwanakomana anoti: “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu. Makada kururama uye mukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.” Anotizve: “Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika, uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu. Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvichasakara zvose senguo. Muchazvipeta sejasi; senguo zvichashandurwa. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haatongogumi.” Ndoupi pakati pavatumwa Mwari waakamboti kwaari: “Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako”? Ko, vatumwa vose havazi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here? Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka. Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira, ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa. Mwariwo akarupupurira nezviratidzo nezvishamiso namabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake. Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo. Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti: “Ko, munhu chii zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye? Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake. Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose. Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika. Vose, iye anoita kuti vanhu vave vatsvene uye avo vanoitwa vatsvene ndevemhuri imwe chete. Saka Jesu haana nyadzi kuti avaidze hama. Anoti, “Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; pamberi peungano ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai.” Uyezve anoti: “Ndichavimba naye.” Uyezve anoti: “Ndiri pano, navana vandakapiwa naMwari.” Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu. Nokuti zvirokwazvo havasi vatumwa vaakabatsira, asi zvizvarwa zvaAbhurahama. Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake nenzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo. Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa. Naizvozvo, hama tsvene, vagovani neni pakudanwa kunobva kudenga, isai pfungwa dzenyu pana Jesu, Mupostori nomuprista mukuru uyo watinopupura nezvake. Akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMozisi akanga akatendeka muimba yose yaMwari. Jesu akaonekwa kuti akafanira kukudzwa kupfuura Mozisi, somuvaki weimba anokudzwa kupfuura imba yacho. Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose. Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera. Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu uye netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo. Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira, panguva yokuedzwa murenje, mandakaedzwa namadzibaba enyu uye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita. Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo, uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka, havana kuziva nzira dzangu.’ Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati, ‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ” Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu. Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi. Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma. Sezvazvakataurwa zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira.” Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti? Uye ndivanaaniko vaakatsamwira kwamakore makumi mana? Havazivo here vaya vakatadza, vane mitumbi yakawira murenje? Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera? Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo. Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako. Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda. Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti: “Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti, ‘Havazopindi muzororo rangu.’ ” Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika. Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.” Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.” Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo. Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu.” Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva. Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari; nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake. Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera. Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo. Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari. Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura. Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi. Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa. Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi. Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera. Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu. Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni. Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari: “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.” Uye akati pane imwe nzvimbo, “Ndiwe muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari. Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake uye pakarepo akawaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera uye akanzi naMwari ave muprista mukuru worudzi rwaMerikizedheki. Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro peizvi, asi zvinorema kuzvitsanangura kwamuri nokuti munononoka kunzwisisa. Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu. Mumwe nomumwe anoraramiswa nomukaka, achiri mucheche, haasati anzwisisa dzidziso pamusoro pokururama. Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa. Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi kuti tive vakuru, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari, dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, nedzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi. Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita. Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene, vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya, kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari uye vachimunyadzisa pachena. Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari. Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa. Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zviri nani, zvinhu zvinobatana pamwe chete noruponeso. Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira. Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu. Hatidi kuti muve simbe, asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira. Mwari paakaita vimbiso yake kuna Abhurahama, sezvo kwakanga kusina mumwe mukuru kwaari wokuti angapika naye, akapika naiye amene, achiti, “Zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichakupa zvizvarwa zvizhinji.” Uye mushure mokumirira nomwoyo murefu, Abhurahama akagamuchira chipikirwa. Vanhu vanopika nomukuru kwavari, uye mhiko ndiyo inosimbisa zvinenge zvataurwa, uye inopedza gakava rose. Nokuti Mwari aida kuti aratidze pachena kusashanduka kwechido chake kuvadyi venhaka yakapikirwa, akakusimbisa nemhiko. Mwari akaita izvi kuitira kuti, nezvinhu zviviri zvisingashanduki, zvokuti Mwari haagoni kureva nhema, isu vakatiza tikandobatisisa tariro yatakapiwa, tisimbiswe zvikuru. Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi, makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimirira. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki. Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo uye akamuropafadza, uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “Mambo worugare.” Asina baba kana mai, asina madzitateguru, asina mavambo amazuva kana magumo oupenyu, soMwanakomana waMwari anoramba ari muprista nokusingaperi. Chingofungai kuti akanga ari mukuru sei. Kunyange natateguru Abhurahama akamupa chegumi chezvaakanga apamba! Zvino murayiro unoti avo vari zvizvarwa zvaRevhi vakava vaprista kuti vatore chegumi kuvanhu, idzo hama dzavo, kunyange zvazvo hama dzavo dziri zvizvarwa zvaAbhurahama. Murume uyu, kunyange zvakadaro, akanga asina rudzi runobva pazvizvarwa zvaRevhi, asi akatora chegumi kubva kuna Abhurahama uye akaropafadza iye akanga ane zvipikirwa. Uye hapana kukahadzika kuti muduku anoropafadzwa noakamupfuura paukuru. Panyaya iyi yokutanga, chegumi chinotorwa navanhu vanofa; asi pane imwe nyaya iyi chinotorwa naiye anonzi mupenyu. Mumwe angati Revhi, anotora chegumi, akapawo chegumi kubudikidza naAbhurahama, nokuti Merikizedheki paakasangana naAbhurahama, Revhi akanga achiri muchiuno chatateguru vake. Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni? Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro. Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndoworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari. Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi rwaMozisi haana kureva zvavaprista. Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa, uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki. Nokuti zvakataurwa zvichinzi: “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari. Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo, asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari: “Ishe akapika uye haangashanduri murangariro wake: ‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’ ” Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka. Zvino kwakava navazhinji vavaprista avo, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri; asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi. Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera. Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga. Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Iye akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye. Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi. Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga, uye anoshumira muimba tsvene, iyo tabhenakeri chaiyo yakamiswa naIshe, kwete nomunhu. Muprista mukuru mumwe nomumwe akagadzwa kuti ape zvose zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo. Dai akanga ari panyika, angadai asina kuva muprista, nokuti vaprista vakanga varipo kare vaibayira zvipo sezvakarehwa nomurayiro. Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.” Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani. Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano. Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati: “Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe, yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha, Haichazovi sesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata noruoko kuti ndivabudise kubva muIjipiti, nokuti havana kuramba vakatendeka kusungano yangu, neniwo ndakavasiya, ndizvo zvinotaura Ishe. Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri, mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mundangariro dzavo, uye ndichainyora pamwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye vachava vanhu vangu. Hakuna munhu achazodzidzisa muvakidzani wake, kana munhu kudzidzisa hama yake, achiti, ‘Ziva Ishe,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo. Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo uye handizorangaririzve zvivi zvavo.” Nokuti akati sungano iyi “itsva,” ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichashayikwa nokukurumidza. Zvino sungano yokutanga yakanga ine mirayiro yokunamata Mwari uye neyeimba tsvene yapanyika. Tabhenakeri yakamiswa. Mukamuri rayo rokutanga makanga mune chigadziko chomwenje, netafura uye nezvingwa zvitsvene; iyi ndiyo yainzi Nzvimbo Tsvene. Mberi kwechidzitiro chechipiri kwakanga kune kamuri yainzi Nzvimbo Tsvene-tsvene, yakanga ine ndiro yegoridhe yezvinonhuhwira uye neareka yesungano yakanga yakafukidzirwa negoridhe. Muareka iyi ndimo makanga mune hari yegoridhe yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakanga yatunga, uye namahwendefa esungano. Pamusoro peareka pakanga paina makerubhi okubwinya, aidzikatidza chifunhiro chengoni. Asi hatingatauri nezvezvinhu zvose izvi zvizere iye zvino. Zvinhu zvose zvakati zvagadzirwa saizvozvi, vaprista vaizopinda mukamuri yokutanga nguva dzose vachiita ushumiri hwavo. Asi muprista mukuru oga ndiye aipinda mukamuri yomukati, uye kamwe chete pagore, uye asingatongopindi asina ropa, raaizvibayira iye pachake nezvivi zvavanhu zvavakanga vaita mukusaziva. Mweya Mutsvene airatidza nechinhu ichi, kuti nzira inoenda kunzvimbo Tsvene-tsvene yakanga isati yaratidzwa sezvo tabhenakeri yakanga ichimire. Uyu mufananidzo wenguva ino, zvichireva kuti zvipo nezvibayiro zvaibayirwa zvakanga zvisingagoni kuchenesa hana yaiye ainamata. Zvinongova zvokudya nezvokunzwa uye nokushamba kuzhinji zvapanyama, zvavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa. Kristu paakauya somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvatova pano kare, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura uye napakukwana isina kugadzirwa nomunhu, zvichireva kuti yakanga isiri chikamu chokusikwa kuno. Haana kupinda nokuda kweropa rembudzi neremhuru; asi akapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa rake chairo akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. Ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru zvaisaswa pamusoro paavo vakanga vakasvibiswa, zvaiita vatsvene kuti vanatswe panyama. Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa tigoshumira Mwari Mupenyu! Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi, zvino sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga. Nokuti kana iri nhaka yakanyorwa, panofanira kuvapovo nechokwadi chorufu rwaiye akaiita, nokuti nhaka yakanyorwa ine simba chete kana munhu afa; haina simba kana akaiita achiri mupenyu. Ndokusaka sungano yokutanga isina kushanda pasina ropa. Mozisi paakaparidza mirayiro yose kuvanhu vose, akatora ropa remhuru, pamwe chete nemvura, neshinda tsvuku uye namapazi ehisopi, akasasa pabhuku rakapetwa uye napavanhu. Akati, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari kuti muchengete.” Nenzira imwe cheteyo, akasasa neropa zvose tabhenakeri nezvinhu zvose zvaishandiswa pakushumira mairi. Zvirokwazvo, tingati murayiro unoda kuti zvinhu zvinenge zvose zvinatswe neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa. Naizvozvo zvaifanira kuti mifananidzo yezvinhu zvokudenga inatswe nezvibayiro izvi, asi zvinhu zvokudenga zvacho zvaifanira kunatswa nechibayiro chinopfuura izvi. Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakagadzirwa nomunhu yakanga ichingova mufananidzo waiyo yechokwadi chaiyo; akapinda kudenga chaiko, zvino achitiendera pamberi paMwari. Uye haana kupinda kudenga kuti azviite chibayiro kakawanda, somuprista mukuru anopinda muNzvimbo Tsvene-tsvene, gore negore, neropa risiri rake. Zvino Kristu angadai akazotambudzika kakawanda kubva pakuvambwa kwenyika. Asi zvino akaonekwa kamwe chete pamagumo enguva kuti aparadze chivi nokuzviita chibayiro iye pachake. Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa, saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira. Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungatongogoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe. Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga, nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi. Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati: “Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira, asi muviri wamakandigadzirira; zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi hamuna kufadzwa nazvo. Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ” Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo” (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe). Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri. Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera. Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi. Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari. Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake, nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi. Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti: “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.” Ipapo anotizve: “Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangaririzve.” Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi. Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu, nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake, uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari, ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena. Ngatibatisisei tisingazungunuswi tariro yatinopupura, nokuti iye akapikira akatendeka. Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera. Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi, asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari. Munhu wose akaramba murayiro waMozisi akafa asinganzwirwi tsitsi pamberi pezvapupu zviviri kana zvitatu. Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei? Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.” Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu. Rangarirai mazuva okutanga mushure mokugamuchira chiedza, amakatsunga pakurwa kukuru mukutambudzika. Pane dzimwe nguva makatukwa uye mukatambudzwa pachena; pane dzimwe nguva makagovana navo vakaitirwawo izvozvo. Makanzwira tsitsi avo vakanga vari mutorongo mukagamuchira nomufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, nokuti maiziva kuti imi pachenyu makanga mune pfuma yakapfuura nokunaka uye inogara. Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru. Munofanira kutsungirira kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari mugogamuchira zvaakavimbisa. Nokuti kanguva kaduku duku kasara, “Iye anouya, achauya, asinganonoki. Asi akarurama wangu achararama nokutenda. Uye kana akadzokera shure, handichazofadzwi naye.” Asi isu hatizi ivo vokudzokera shure, uye vanoparadzwa, asi tiri vokutenda uye tinoponeswa. Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi chezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni. Nokuti izvi ndizvo zvakaita kuti vanhu vekare vapupurirwe zvakanaka. Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi. Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chiri nani pane chaKaini. Nokutenda akapupurirwa kuti akanga ari munhu akarurama, Mwari paakataura zvakanaka pamusoro pezvipo zvake. Uye nokutenda achiri kutaura nazvino kunyange zvake akafa. Nokutenda Enoki akatorwa kubva paupenyu huno, zvokuti haana kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa, akanga achipupurirwa somunhu aifadza Mwari. Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo. Nokutenda Noa, akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvakanga zvichigere kuonekwa, akavaka areka nokutya Mwari kuti aponese mhuri yake. Nokutenda kwake akapa nyika mhosva uye akava mugari wenhaka yokururama kunouya nokutenda. Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera uye akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye. Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita soafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga uye zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa. Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete uye vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika. Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo. Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera. Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta. Nokutenda Abhurahama, paakaedzwa naMwari, akapa Isaka sechibayiro. Iye akanga agamuchira zvipikirwa akanga obayira mwanakomana wake mumwe oga, kunyange zvazvo Mwari akanga akati kwaari, “Nokuna Isaka zvizvarwa zvako zvichazovapo.” Abhurahama akafunga iye akati Mwari aigona kumutsa vakafa, uye tichitaura nomufananidzo, akagamuchira Isaka kubva kuvakafa. Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvaizoitika. Nokutenda Jakobho, paakanga ava kufa akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa, uye akanamata akazendamira pamusoro pomudonzvo wake. Nokutenda, Josefa, magumo ake ava pedyo, akataura zvokubuda kwavaIsraeri kubva muIjipiti uye akarayira pamusoro pamapfupa ake. Nokutenda Mozisi paakaberekwa, vabereki vake vakamuviga kwemwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana akanaka uye havana kutya murayiro wamambo. Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro. Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi. Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro. Nokutenda akabva muIjipiti asingatyi kutsamwa kwamambo; akatsungirira nokuti akanga aona iye asingaonekwi. Nokutenda akavamba Pasika uye nokusasa ropa, kuitira kuti muurayi wamatangwe arege kuuraya matangwe eIsraeri. Nokutenda vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; asi vaIjipita pavakaedza kuzviita vakanyura. Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe. Nokutenda Rahabhi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vasori norugare. Uye ndichataureiko zvimwe? Handichina nguva yokutaura pamusoro paGidheoni, Bharaki, Samusoni, Jefuta, Dhavhidhi, Samueri, navaprofita, vakakunda ushe nokutenda, vakatonga nokururamisira, uye vakawana zvakanga zvavimbiswa; vakadzivira miromo yeshumba, vakadzima simba romoto, uye vakapunyuka kubva pamunondo unopinza, utera hwavo hwakashandurwa hukava simba uye vakava nesimba guru pakurwa vakakunda hondo dzamamwe marudzi. Vakadzi vakagamuchirazve vakanga vafa vavo vamutswa kuti vave vapenyu zvakare. Vamwe vakatambudzwa uye vakaramba kusunungurwa, kuitira kuti vagozopiwa kumuka kuri nani pakunaka. Vamwe vakasekwa uye vakarohwa, uyezve vamwe vakasungwa uye vakaiswa mutorongo. Vakatakwa namabwe; vamwe vakaitwa zvidimbu zviviri; vakaurayiwa nomunondo. Vakafamba vakapfeka matehwe amakwai namatehwe embudzi, vasina chinhu, vakatambudzwa uye vakaitirwa zvakaipa, nyika yakanga isina kufanirwa navo. Vaidzungaira murenje nomumakomo, uye mumapako nomumakomba enyika. Vose ava vakapupurirwa kutenda kwavo, asi hapana kana mumwe wavo akagamuchira zvakanga zvavimbiswa. Mwari akanga atigadzirira chimwe chinhu chiri nani pakunaka, kuitira kuti ivo pamwe chete nesu tigozokwaniswa. Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa. Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu. Mukurwa kwenyu nechivi, hamusati madzivisa kusvikira pakubuda ropa. Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe, usaora mwoyo kana uchirangwa naye, nokuti Ishe anoranga uyo waanoda, uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.” Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake? Kana musingarangwi (uye vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamuzi vanakomana vechokwadi. Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya yedu uye tigororama! Madzibaba edu aitiranga kwenguva duku sezvavaifunga kuti zvakafanira; asi Mwari anotiranga kuti zvitibatsire, kuti tigogoverwa utsvene hwake. Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako. Naizvozvo, simbisai maoko akaneta namabvi anoshayiwa simba. “Gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama,” kuitira kuti anokamhina arege kuremara, asi kuti aporeswe. Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe. Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari uye kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji. Chenjerai kuti kurege kuva nevanoita upombwe, kana nousina umwari saEsau, uyo akatengesa nhaka youdangwe hwake nokuda kwokudya kamwe chete. Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaga mukomborero uyo nemisodzi. Hamuna kumboswedera kugomo ringabatwa namaoko uye rinopfuta nomoto; kurima, kukusviba uye nokudutu guru; kukurira kwehwamanda kana inzwi rinotaura mashoko zvokuti vaya vakarinzwa vakakumbirisa kuti varege kuudzwazve rimwe shoko, nokuti vakanga vasingagoni kutakura zvakanga zvarayirwa sokuti: “Kunyange kana mhuka ipi zvayo ikabata gomo, inofanira kutakwa namabwe.” Chakaonekwa chaityisa zvokuti Mozisi akati, “Ndiri kudedera nokutya.” Asi mauya kuGomo reZioni, kuJerusarema rokudenga, guta raMwari mupenyu. Mauya kuzviuru nezviuru zvavatumwa vari paungano yomufaro, kukereke yamatangwe, vane mazita akanyorwa kudenga. Mauya kuna Mwari, mutongi wavanhu vose, kumweya yavanhu vakarurama vakakwaniswa, kuna Jesu murevereri wesungano itsva, uye kuropa rakasaswa rinotaura zviri nani pane raAbheri. Chenjerai kuti murege kuramba iye anotaura. Kana ivo vasina kupunyuka pavakaramba iye akavayambira panyika, ko, kuzoti isu kana tikatsauka kubva kwaari anotiyambira kubva kudenga? Panguva iyo inzwi rake rakazungunusa nyika, asi zvino akativimbisa, achiti, “Ndichazungunusazve kamwe chete, kwete nyika chete, asi nedengawo.” Mashoko okuti, “Kamwe chetezve” anoratidza kubviswa kwezvinhu zvinogona kuzungunuswa, izvo zvinhu zvakasikwa, kuitira kuti zvisingagoni kuzungunuswa zvirambe zviripo. Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya, nokuti “Mwari wedu moto unoparadza.” Rambai mune rudo pakati penyu sehama. Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi. Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa. Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva. Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati: “Handingatongokusiyei; handingatongokurasei.” Saka tinotsunga mwoyo, tichiti: “Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi. Munhu angandiiteiko?” Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu uye mugotevera kutenda kwavo. Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi. Musatorwa nedzidziso dzimwe dzose dzose dzisingazivikanwi. Zvakanaka kuti mwoyo yedu isimbiswe nenyasha, kwete nezvokudya zvemitambo, zvisina kubatsira vaya vakazvidya. Tine aritari isingatenderwi vanoshumira patabhenakeri kuti vadyepo. Muprista mukuru anopinda neropa remhuka muNzvimbo Tsvene-tsvene sechipiriso chechivi, asi mitumbi yacho inopisirwa kunze kwomusasa. Uye naizvozvo Jesu akatambudzikawo ari kunze kwesuo reguta kuti aite kuti vanhu vave vatsvene kubudikidza neropa rake. Naizvozvo, ngatiendei kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadziswa kwake. Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya. Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake. Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai. Teererai vatungamiri venyu, muzviise pasi pavo nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vachazobvunzwa pamusoro penyu. Vateererei kuitira kuti basa ravo rive mufaro, kwete mutoro, nokuti izvozvo hazvingakubatsirei chinhu. Tinyengeterereiwo. Tine chokwadi chokuti tine hana yakanaka uye tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose. Ndinokukumbirai zvikuru kuti munyengetere, kuti ndigokurumidza kudzoserwa kwamuri. Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi, ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. Hama dzangu ndinokurayirai kuti mutende shoko rangu rokurayira, nokuti ndakunyorerai tsamba duku. Ndinoda kuti muzive kuti hama yedu Timoti akasunungurwa. Kana akakurumidza kusvika, ndichauya naye kuzokuonai. Kwazisai vatungamiri venyu vose uye navanhu vose vaMwari. VokuItaria vanokukwazisai. Nyasha ngadzive nemi mose. Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, Kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai. Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose, nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu. Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake. Asi paanokumbira, anofanira kutenda uye asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye richimutswa-mutswa nemhepo. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She; munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita. Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa. Asi mupfumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango. Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo inopisa rigoomesa uswa; ruva raro rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake. Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda. Pamunenge muchiedzwa, kurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu; asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge, achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa. Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa, kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu. Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa. Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka. Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake. Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa, nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari. Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai. Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva. Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anotaridzika sei. Asi munhu anonyatsotarisisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita. Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo. Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika. Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu. Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo, kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka uye mukati, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,” hamuna kutsaura here pakati penyu uye mukava vatongi vane ndangariro dzakaipa? Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here? Asi imi makazvidza varombo. Ko, havazi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here? Havazi ivo vanomhura zita rinokudzwa raiye wamuri vake here? Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka. Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro. Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi akagumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose. Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingapombi asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro. Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko, nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga! Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here? Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe, uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo? Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa. Asi mumwe achati, “Iwe uno kutenda; ini ndina mabasa.” Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita. Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera. Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here? Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari? Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukakwaniswa nezvaakaita. Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari. Unoona kuti munhu anoshayirwa mhosva nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi. Saizvozvowo, Rahabhi chifeve haana kunzi akarurama nokuda kwezvaakaita paakapa vasori imba uye akazovaendesa neimwe nzira here? Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa. Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu vanodzidzisa tichatongwa zvikuru. Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose. Patinoisa matomu mumiromo yamabhiza tichiaita kuti atiteerere, tinogona kudzora muviri wose wechipfuwo. Kana kuti ngatitorei zvikepe somuenzaniso. Kunyange zvakakura sei uye zvichisundwa nemhepo ine simba, zvinofambiswa nechifambiso chiduku duku kwose kwose kunodiwa kuendwa nomuchairi. Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto. Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena. Marudzi ose emhuka, eshiri, ezvinokambaira uye nezvisikwa zvomugungwa zvinopingudzwa uye zvakambopingudzwa navanhu, asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya. Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari. Mumuromo mumwe imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro. Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here? Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana muzambiringa maonde here? Kunyange tsime rinovava haringabudisi mvura yakanaka. Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri. Asi kana muchipfimbika godo rinovava norukave mumwoyo yenyu, musazvikudza pamusoro pazvo kana muchiramba chokwadi. “Kuchenjera” kwakadaro hakuburuki kuchibva kudenga asi ndokwenyika, hakuzi kwomweya, ndokwadhiabhori. Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa. Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka. Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama. Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here? Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari. Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu. Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari. Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here kuti mweya waakaita kuti ugare matiri unotishuva negodo guru? Asi unotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.” Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri. Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri. Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa. Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai. Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri. Panongova noMupi woMurayiro noMutongi mumwe chete, iye anokwanisa kuponesa kana kuparadza. Asi iwe, ndiwe aniko kuti utonge muvakidzani wako? Zvino teererai, imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri kana iro, tinopedza gore tiriko, tichiita basa uye tichiwana mari.” Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika. Asi, munofanira kuti, “Kana Ishe achida, tichararama tigoita ichi nechocho.” Asi zvino munozvikudza uye mune manyawi. Kuzvikudza kwakadaro kwakaipa. Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita uye akasazviita, ari kutadza. Zvino inzwai, imi vapfumi, chemai muungudze nokuda kwenjodzi iri kuuya pamusoro penyu. Upfumi hwenyu hwaora, uye nguo dzenyu dzakadyiwa nezviundudzi. Goridhe renyu nesirivha zvava nengura. Ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa uye zvichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera upfumi mumazuva okupedzisira. Tarirai mibayiro yamakatadza kupa vashandi venyu vaicheka muminda yenyu iri kudanidzira pamusoro penyu. Kuchema kwavacheki kwasvika munzeve dzaIshe Wamasimba Ose. Makararama mumafaro panyika uye muchizvikudza. Makakodza mwoyo yenyu pazuva rokuzvibaya. Makatonga uye mukaponda vanhu vasina mhosva, vakanga vasingapikisani nemi. Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso. Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo. Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo! Hama dzangu, somuenzaniso womwoyo murefu pakutambudzika, tarirai vaprofita vakataura muzita raShe. Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere nenyasha uye nengoni. Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. “Hongu” yenyu ngaive hongu, uye “Kwete” yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa. Kuno mumwe wenyu anotambudzika here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza. Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera nokumuzodza mafuta muzita raIshe. Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa. Naizvozvo reururai zvivi zvenyu kuno mumwe nomumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda. Eria akanga ari munhu sesu. Akanyengetera zvine simba kuti kurege kunaya, uye hakuna kunaya panyika kwamakore matatu nehafu. Uyezve, akanyengetera, uye denga rikanayisa mvura, uye nyika ikabereka zvibereko zvayo. Hama dzangu, kana mumwe wenyu akatsauka kubva pachokwadi uye mumwe akamudzora, murangarire izvi kuti: Ani naani anodzora mutadzi kubva panzira yokudarika kwake, achamuponesa kubva parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji. Petro, mupostori waJesu Kristu, Kuvasanangurwa vaMwari, vatorwa munyika, vakapararira muPondasi yose, neGaratia, neKapadhokia, Ezhia neBhitinia, vakasarudzwa maererano nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, kubudikidza nebasa roMweya rokuvaita vatsvene, kuti vateerere kuna Jesu Kristu nokusaswa neropa rake: Nyasha norugare ngazviwande kwamuri. Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga, imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira. Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo. Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu. Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa, nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu. Nezvoruponeso urwu, vaprofita vakataura nezvenyasha dzaizouya kwamuri, vakanzvera zvikuru uye vakabvunza zvikuru, vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera. Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishumiri ivo, asi imi, pavakataura nezvezvinhu zvakataurwa kwamuri zvino naavo vakaparidza vhangeri kwamuri noMweya Mutsvene wakatumwa uchibva kudenga. Kunyange vatumwa vanoshuva kuona zvinhu izvozvi. Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu. Savana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva. Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya. Nokuti munoziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinhu zvinoora, zvakadai sesirivha kana goridhe, kubva paupenyu hwenyu husina maturo, hwamakagamuchira kubva kumadzitateguru enyu, asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara. Iye akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu. Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari. Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo. Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi. Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa; uswa hunosvava uye maruva anowira pasi, asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.” Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa. Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose. Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu, sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka. Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari, nemiwo, samabwe mapenyu, muri kuvakwa muimba yomweya kuti muve uprista hutsvene muchipa zvibayiro zvomweya zvinogamuchirwa kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu. Nokuti muRugwaro zvinonzi: “Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni, ibwe rakasanangurwa, rinokosha, uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.” Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi, “Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,” uye, “Ibwe rinogumbusa vanhu nedombo rinoita kuti vawe.” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo. Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa. Kare makanga musiri vanhu, asi zvino mava vanhu vaMwari; kare makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino makagamuchira ngoni. Vadikani, ndinokukurudzirai, savatorwa navaeni munyika, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nomweya wenyu. Mugare upenyu hwakanaka pakati pavahedheni kuti, kunyange vachikupomerai mhosva, vaone mabasa enyu akanaka vagokudza Mwari pazuva raanotishanyira. Muzviise pasi pamasimba ose akagadzwa pakati penyu navanhu nokuda kwaIshe: angava mambo, saiye mutongi mukuru, kana vabati, vakatumwa naye kuti vazoranga vaya vanoita zvakaipa uye kuti varumbidze vaya vanoita zvakanaka. Nokuti kuda kwaMwari kuti, nokuita zvakanaka, muchanyaradza kusaziva kwamapenzi. Garai savanhu vakasununguka, asi musingaiti kuti kusununguka kwenyu kuve chifukidzo chezvakaipa; garai savaranda vaMwari. Kudzai vanhu vose norukudzo chairwo: Idai hama dzose, ityai Mwari, kudzai mambo. Varanda, zviisei pasi pavatenzi venyu nokukudza kwose, kwete kuna avo vakanaka navane hanya bedzi, asi nokuna vayawo vane hasha. Nokuti zvinorumbidzwa kana munhu achitsungirira ari pasi pokurwadziwa nokutambudzika kusakafanira nokuti anoziva kuti Mwari ariko. Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchitsunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari. Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake. “Iye haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.” Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama. Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa. Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu. Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuiitira kuti, kana mumwe wavo asingatendi shoko, angadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa, pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu. Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka. Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nokwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari. Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo, saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo. Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu. Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise. Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa. Nokuti, “Uyo anoda upenyu nokuona mazuva akanaka anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake pakutaura zvinonyengera. Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka; anofanira kutsvaka rugare agorutevera. Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, uye nzeve dzake dzakateerera kumunyengetero wavo, asi chiso chaShe chakanangana navaya vanoita zvakaipa.” Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka? Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.” Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza, muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo. Zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakanaka pano kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakaipa. Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya, nawo akaendawo akandoparidza kumweya yakanga iri mutorongo yakaramba kuteerera kare Mwari paakanga akamirira nomwoyo murefu mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa. Mairi, vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura, uye mvura iyi inofananidzira rubhabhatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nokumuka kwaJesu Kristu, iye akapinda mudenga uye ari kuruoko rworudyi rwaMwari, vatumwa namasimba noushe zviri pasi pake. Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi. Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari. Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza. Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo. Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa. Nokuti nokuda kwaizvozvi vhangeri rakaparidzwa kunyange nokuna vakafa, kuitira kuti vagotongwa nomutowo wavanhu nokuda kwenyama, asi vagorarama nomutowo waMwari nokuda kwomweya. Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera. Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji. Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti. Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo. Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazikanwi chaitika kwamuri. Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake. Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri. Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe. Kunyange zvakadaro, kana muchitambudzika somuKristu, musanyadziswa, asi rumbidzai Mwari nokuti mune zita iroro. Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari? Uye, “Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe, ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?” Saka zvino, vaya vanotambudzika nokuda kwaMwari vanofanira kuzviisa kuMusiki wavo akatendeka uye vagoramba vachiita zvakanaka. Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti: Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda; musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka. Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori. Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.” Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira. Kandai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai. Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya. Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo. Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai. Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. Ndakakunyorerai muchidimbu ndi-chibatsirwa naSirasi hama yangu yakatendeka, ndichikukurudzirai uye ndichipupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaMwari dzechokwadi. Mirai makasimba madziri. Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, inokukwazisai, uye mwanakomana wangu Mako anokukwazisaiwo. Kwazisanai nokutsvodana kworudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu. Simoni Petro, muranda nomupostori waJesu Kristu, Kuna vaya vakagamuchira kutenda kunokosha sokwedu, kubudikidza nokururama kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu: Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu. Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko. Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugotiza kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva. Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva; napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari; napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo. Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musingashayiwi zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu. Asi kana munhu asina zvinhu izvi, anoona zviri pedyo uye ibofu, uye akanganwa kuti iye akanatswa pazvivi zvake zvakare. Naizvozvo, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti muite kuti kudanwa kwenyu nokusanangurwa kwenyu kusimbe. Nokuti kana muchiita zvinhu izvi, hamungatongogumburwi, nokuti muchagamuchirwa nomufaro mukuru muumambo husingaperi hwaIshe noMuponesi wedu Jesu Kristu. Saka ndicharamba ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi, kunyange zvazvo muchizviziva uye makanyatsosimba muchokwadi chamunacho zvino. Ndinofunga kuti zvakanaka kuti ndimutse ndangariro dzenyu ndichiri mutende romuviri uno, nokuti ndinoziva kuti ndichakurumidza kuibvisa, sezvandakaratidzwa pachena naIshe wedu Jesu Kristu. Uye ndichashingaira kuti ndione kuti shure kwokuenda kwangu mucharamba muchirangarira zvinhu izvi. Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri patakakuudzai nezvesimba uye nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri zvapupu zvakaona kubwinya kwake. Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.” Isu pachedu takanzwa inzwi iri rakabva kudenga patakanga tinaye mugomo dzvene. Uye tine shoko ravaprofita rakasimba kwazvo, uye muchaita zvakanaka kuti muriteerere, rakaita sechiedza chinovhenekera murima, kusvikira utonga hwatsvuka uye nyamasase ichibuda mumwoyo yenyu. Pamusoro pazvo zvose, munofanira kunzwisisa kuti hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga. Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene. Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza. Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa. Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye kuparadzwa kwavo hakukotsiri. Nokuti kana Mwari asina kuregerera vatumwa pavakatadza, asi akavatumira kugehena, achivaisa mugomba rerima kuti vachengeterwe kutongwa; kana asina kuregerera nyika yakare paakauyisa mafashamu pavanhu vayo vakanga vasingatyi Mwari, asi akadzivirira Noa, muparidzi wokururama, navamwewo vanomwe; kana akatonga maguta eSodomu neGomora nokuapisa nomoto kusvikira ava dota, uye akaaita muenzaniso wezvichaitika kuna vasingadi Mwari; uye kana akanunura Roti, munhu akarurama, akatambudzika nokuda kwoupenyu hwetsvina hwavanhu vakanga vakatsauka (nokuti murume uyu akarurama, agere pakati pavo zuva nezuva, akatambudzwa mumwoyo wake wakarurama nezviito zvavasakurama zvaakaona nezvaakanzwa), kana zvakadaro, ipapo Ishe anoziva kuti anonunura sei vanhu vake vanotya Mwari kubva pamiedzo uye nokubata vasakarurama varangwe kusvikira pazuva rokutongwa. Izvozvo zvinoitwa navaya vanotevera kuchiva kwakaora kwomunhu wenyama uye vachizvidza vakuru. Vanhu ava havatyi kutuka zvisikwa zvokudenga, vakashinga uye vanozvikudza; asi kunyange vatumwa, kunyange zvazvo vakasimba kwazvo uye vane simba guru, havauyi pamberi paIshe vachituka nokupomera mhosva zvakadai kuzvisikwa izvi. Asi vanhu ava vanongomhura panyaya dzavasinganzwisisi. Vakaita semhuka dzisina murangariro, zvisikwa zvisingashanduki papfungwa, zvakangoberekerwa kubatwa nokuparadzwa, uye semhuka idzodzo naivowo vachaparara. Vacharipirwa nokurwadziswa nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Mukufunga kwavo vanoti kutamba masikati ndizvo zvinofadza. Ivo ndivo makwapa namavara, vanofara mune zvinovagutsa pavanenege vachidya nemi. Vane meso azere upombwe, havatongoregi kutadza; vanonyengera vasina mano; uye inyanzvi pakukara, rudzi rwakatukwa! Vakasiya nzira yakarurama vakatsauka kuti vatevere nzira yaBharamu mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama. Asi akatsiurwa nembongoro nokuda kwokuita kwake zvakaipa, mhuka isina mutauro yakataura nenzwi romunhu uye ikadzivisa kupenga kwomuprofita. Ava vanhu matsime asina mvura uye imhute inosundwa nemhepo. Vakachengeterwa rima guru. Nokuti vanotaura zvisina maturo, mashoko okuzvikudza, uye nokuchiva kwenyama yavo, vanobata kumeso vanhu vaya vari kutiza kubva kuna vanogara mukutsauka. Vanovavimbisa kusununguka, asi ivo pachavo vari varanda vokuora, nokuti munhu anoitwa muranda nechinhu chipi zvacho chinenge chamukunda. Kana vakatiza kuora kwenyika ino nokuda kwokuziva Ishe wedu noMuponesi Jesu Kristu uye vakasungwazve mazviri uye vakundwa nazvo, vaipa pakupedzisira kupfuura zvavakanga vari pakutanga. Zvaiva nani kwavari kuti dai vasina kumboziva havo nzira yokururama, pano kuti vaizive, ipapo vagozofuratira murayiro mutsvene wakanga wapiwa kwavari. Tsumo iyi ndeyechokwadi kwavari inoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” uye “Nguruve yakanga yashambidzwa yadzokerazve kunoumburuka mumatope.” Vadikani, zvino iyi ndiyo tsamba yangu yechipiri. Ndakanyora dzose dziri mbiri sechiyeuchidzo, kuti ndimutse ndangariro dzenyu pakufunga kutsvene. Ndinoda kuti murangarire mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene uye nomurayiro wakapiwa naIshe noMuponesi wedu kubudikidza navapostori venyu. Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo. Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? Kubvira pakufa kwakaita madzibaba edu, zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakusikwa kwenyika.” Asi vanokanganwa nobwoni kuti kare neshoko raMwari denga raivapo uye nyika yakaumbwa ichibva mumvura uye yakaitwa nemvura. Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa. Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari. Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, hama dzangu, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete. Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke. Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena. Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari, muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa. Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama. Saka zvino, hama dzinodikanwa, sezvo muchitarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe musina gwapa, musina chamunopomerwa uye muno rugare naye. Muzive izvi kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponeso, sokunyorerwa kwamakaitwa naPauro hama yedu, nouchenjeri hwaakapiwa naMwari. Anonyora zvimwe chetezvo mutsamba dzake dzose, achitaura nyaya idzodzi. Tsamba dzake dzine zvimwe zvikukutu kuti zvinzwisiswe, zvinominamiswa navasingazivi uye vanhu vasina simba, sezvavanoita mamwe Magwaro, kusvikira vaparadzwa. Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu. Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino uye nokusingaperi. Ameni. Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, izvo zvatakanzwa, zvatakaona nameso edu, zvatakatarira uye zvatakabata namaoko, izvozvi ndizvo zvatinoparidza zveShoko roupenyu. Upenyu hwakaonekwa; takahuona uye tikapupura nezvahwo, uye tinoparidza kwamuri upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba uye hwakaratidzwa kwatiri. Tinoparidza kwamuri zvatakaona nezvatakanzwa, kuti nemiwo mugowadzana nesu. Uye tinowadzana naBaba noMwanakomana wavo, Jesu Kristu. Tiri kunyora izvi kuti mufaro wedu uzadziswe. Iyi ndiyo mharidzo yatakanzwa kwaari uye yatinoparidza kwamuri kuti: Mwari ndiye chiedza; maari hamuna rima zvachose. Kana tichiti tinowadzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema uye hatigari muchokwadi. Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose. Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera uye chokwadi hachizi matiri. Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose. Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema uye shoko rake harizi matiri. Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama. Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose. Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake. Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari. Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari: Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu. Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa. Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera. Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima. Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa. Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza. Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda, nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti mune simba, shoko raMwari rinogara mamuri, uye makakunda iye akaipa. Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza nokuda kwezvaanazvo munhu nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika. Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi. Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu. Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi. Handina kukunyorerai nokuda kwokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuda kwokuti munochiziva uye nokuti hakuna nhema dzinobva muchokwadi. Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana. Hakuna munhu anoramba Mwanakomana angava naBaba; ani naani anopupura Mwanakomana ndiye ana Babawo. Onai kuti zvamakanzwa kubva pakutanga zvagara mamuri. Kana zvikadaro, nemiwo muchagara mumwanakomana nomuna Baba. Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi. Ndiri kunyora zvinhu izvi kwamuri pamusoro pavaya vanoedza kukutsausai. Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari. Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake. Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye. Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye. Shamwari dzinodiwa, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari. Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena. Munhu wose anotadza anodarika murayiro, zvechokwadi, chivi ndiko kudarika murayiro. Asi munoziva kuti iye akaonekwa kuitira kuti abvise zvivi zvedu. Uye maari hamuna chivi. Hakuna munhu anogara maari anoramba achingotadza. Hakuna munhu anoramba achitadza, kana akamuona kana akamuziva. Vana vanodiwa, musarega munhu upi zvake achikutsausai. Uyo anoita zvakanaka, akarurama, saiye akarurama. Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori. Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari. Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndavapi uye kuti vana vadhiabhori ndavapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uye uyo asingadi hama yake. Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana. Musaita saKaini, akanga ari wowakaipa uye akaponda munun'una wake. Uye akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa uye omunun'una wake akanga akarurama. Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai. Tinoziva kuti takabva murufu tikaenda muupenyu, nokuti tinoda hama dzedu. Ani naani asingadi anogara murufu. Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi. Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu. Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko? Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi. Zvino, ndiwo maziviro edu kuti tiri vechokwadi, uye kuti mwoyo yedu inozorora sei pamberi pake pose patinopiwa mhosva nemwoyo yedu. Nokuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu, uye anoziva zvinhu zvose. Shamwari dzinodikanwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tinako kuvimba pamberi paMwari uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinomufadza. Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira. Avo vanoteerera mirayiro yake vanogara maari, uye iye mavari. Uye izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti iye anogara matiri: Tinozviziva noMweya waakatipa. Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika. Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari, asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika. Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika. Ivo ndevenyika, naizvozvo vanotaura sevenyika, uye nyika inovanzwa. Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema. Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana. Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri. Tinoziva kuti tinogara maari uye iye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake. Uye takaona uye tikapupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponesi wenyika. Kana munhu akapupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari uye iye muna Mwari. Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo. Ani naani asingadi anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari. Naizvozvo, rudo runokwaniswa pakati pedu kuitira kuti tigova nokuvimba pazuva rokutongwa, nokuti munyika ino takafanana naye. Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo. Tinomuda nokuti iye akatanga kutida. Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona. Uye akatipa murayiro uyu: Ani naani anoda Mwari anofanirawo kuda hama yake. Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake. Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi, nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu. Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu. Haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Uye Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi. Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti: Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana. Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake. Munhu mumwe nomumwe anotenda muMwanakomana waMwari anouchapupu uhu mumwoyo make. Munhu mumwe nomumwe asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake. Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu. Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi. Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa. Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari. Kana munhu akaona hama yake ichiita chivi chisingaurayisi, anofanira kunyengetera uye Mwari achamupa upenyu. Ndinoreva vaya vane chivi chisingaurayisi. Pane chivi chinourayisa. Handirevi kuti anyengetere pamusoro pacho. Kuita chakaipa kwose chivi, uye pane chivi chisingaurayisi. Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi; uyo akaberekwa naMwari anomuchengeta zvakanaka, uye akaipa haagoni kumukuvadza. Tinoziva kuti tiri vana vaMwari, uye kuti nyika yose iri pai powakaipa. Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi. Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo. Mukuru, Kumudzimai akasanangurwa navana vake, vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndoga, asiwo navose vanoziva chokwadi, nokuda kwechokwadi chinogara matiri uye chichava nesu nokusingaperi: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, zvichava nesu muchokwadi nomurudo. Zvakandifadza zvikuru kuwana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba. Uye zvino, mudikani mai, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi iwo watakanzwa kubva pakutanga. Ndinokumbira kuti tidanane. Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo. Vanyengeri vazhinji, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya munyama, vakapinda munyika. Munhu akadaro ndiye munyengeri naandikristu. Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana. Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana. Kana munhu akauya kwamuri uye asingauyi nedzidziso iyi, musamupinza mumba menyu kana kumugamuchira. Ani naani anomugamuchira anogovana naye mubasa rake rakaipa. Ndine zvizhinji zvokukunyorerai, asi handidi kushandisa pepa neingi. Asi, ndine tariro yokukushanyirai uye ndigotaura nemi chiso nechiso, kuti mufaro wedu uzadziswe. Vana vomunun'una wenyu akasanangurwa vanokukwazisai. Mukuru, Kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi. Mudikani shamwari, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako. Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi. Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi. Mudikani shamwari, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva. Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari. Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni. Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi. Ndakanyorera kukereke, asi Dhiotirefesi, iye anoda kuva mukuru, akati haagamuchiri zvatinotaura. Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke. Shamwari inodikanwa, usatevedzera zvakaipa asi zvakanaka. Ani naani anoita zvakanaka ndiye anobva kuna Mwari. Ani naani anoita zvakaipa haana kuona Mwari. Dhemetriasi anopupurirwa zvakanaka navose, uye kunyange nechokwadi chaicho. Nesuwo tinotaura zvakanaka nezvake, uye munoziva kuti uchapupu hwedu ndohwechokwadi. Ndine zvizhinji zvokukunyorera, asi handidi kuita izvozvi nechinyoreso neingi. Ndinovimba kuti ndichakuonai nokukurumidza, uye tichazotaurirana chiso nechiso. Rugare kwamuri. Shamwari dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisai shamwari dziri ikoko namazita avo. Judha, muranda waJesu Kristu uye munun'una waJakobho, Kuna vaya vakadanwa, vanodikanwa naMwari Baba uye vanochengetwa naJesu Kristu: Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri. Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga. Kunyange maizviziva henyu kare, ndinoda kukuyeuchidzai kuti Ishe akasunungura vanhu vake kubva muIjipiti, asi pashure akaparadza vaya vakanga vasingatendi. Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru. Nenzira imwe cheteyo, Sodomu neGomora uye namaguta akanga akapoteredza akazvipa kuupombwe nokutsauka, akava muenzaniso wavaya vari pakurangwa nomoto usingaperi. Nenzira imwe cheteyo, ava varoti vanosvibisa miviri yavo, vachiramba vakuru uye vachituka zvisikwa zvokudenga. Asi kunyange Mikaeri mutumwa mukuru, paakanga achirwa nadhiabhori pamusoro pomuviri waMozisi, haana kutsunga kutaura mashoko okutuka nokumupomera mhosva, asi akati, “Ishe ngaakutuke!” Asi vanhu ava vanotaura zvisina maturo pamusoro pezvinhu zvavasinganzwisisi; uye kunyange nezvinhu zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingafungi, zvinhu izvozvi ndizvo chaizvo zvinovaparadza. Vane nhamo! Vakasarudza nzira yaKaini; vakamhanyira mubayiro wokutsauka kwaBharamu; vakaparadzwa mukupanduka kwaKora. Vanhu ava makwapa pamitambo yenyu yorudo, vanodya nemi vasingatyi napaduku, vanongozvipa zvokudya ivo chete. Makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yenguva yamasutso, isina michero uye yakadzurwa, yakafa zvakapetwa kaviri. Mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinodzungaira, ivava vakachengeterwa rima guru nokusingaperi. Enoki, wechinomwe kubva kuna Adhamu, akaprofita pamusoro pavanhu ava achiti, “Tarirai, Ishe ari kuuya nezviuru nezviuru zvavatsvene vake kuti azotonga vanhu vose, uye abate nemhosva vose vasina umwari pamusoro pamabasa ose asina umwari avakaita nenzira isina umwari, uye namashoko okutuka akataurwa navanhu vasina umwari pamusoro pake.” Vanhu ava vanyunyuti uye vapomeri; vanotevera kuchiva kwavo vamene; vanozvirumbidza pachavo uye vanobata vamwe kumeso kuti zvivanakire ivo. Asi, shamwari dzinodiwa, rangarirai zvakataurwa navapostori vaIshe wedu Jesu Kristu. Vakati kwamuri, “Munguva yokupedzisira kuchava navaseki vachatevera kuchiva kwavo.” Ava ndivo vanhu vanokuparadzanisai, vanotevera nyama yavo uye vasina Mweya. Asi imi, shamwari dzinodikanwa, zvivakei mukutenda kwenyu kutsvene uye munyengetere muMweya Mutsvene. Zvichengetei murudo rwaMwari pamunenge muchimirira ngoni dzaIshe wedu Jesu Kristu kuti dzikuuyisei kuupenyu husingaperi. Itirai ngoni avo vanokahadzika; bvutai vamwe kubva mumoto mugovaponesa; vamwe muvanzwire ngoni dzakasanganiswa nokutya, muchivenga kunyange nenguo dzakasvibiswa nenyama. Kuna iye anogona kukuchengetai kuti murege kugumburwa uye anokuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamunopomerwa, uye nomufaro mukuru, kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni. Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake zvinofanira kuitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira kwaakaita mutumwa wake kumuranda wake Johani, iye anopupura zvose zvaakaona, iro shoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu Kristu. Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo. Johani, Kukereke nomwe dziri mudunhu reEzhia: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna iye aripo, uye akanga aripo, naiye achazouya, nokumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe, nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika. Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake, uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari wake naBaba, vake ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni. Tarirai, ari kuuya namakore, uye meso ose achamuona, kunyange naivo vakamubaya; uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake. Saka zvichaita saizvozvo! Ameni. “Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.” Ini Johani, hama yenyu nomufambidzani wenyu mumatambudziko, muumambo, nomukutsungirira nomwoyo murefu wedu muna Jesu, ndakanga ndiri pachitsuwa chePatimosi nokuda kweshoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu. Pazuva raShe, ndakanga ndiri muMweya, uye ndikanzwa mushure mangu inzwi guru rinenge rehwamanda, richiti, “Nyora mubhuku rakapetwa zvaunoona uye ugozvitumira kukereke nomwe: dzokuEfeso, Simina, Pegamo, Tiatira, Sadhisi, Firadherifia neRaodhikea.” Ndakatendeuka ndikatarisa kuti ndione inzwi rakanga richitaura kwandiri. Uye ndakatendeuka ndikaona zvigadziko zvemwenje, uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga “akaita somwanakomana womunhu,” akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanire regoridhe pachipfuva chake. Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena samakushe, zvakachena sechando, uye meso ake akanga akaita somurazvo womoto. Tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira inopenya muvira romoto, uye inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji. Akanga akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka mativi ose. Chiso chake chakanga chakaita sezuva rinopenya nokupenya kwaro kwose. Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake kunge ndafa. Ipapo akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya. Ndini Wokutanga neWokupedzisira. Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperiperi! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi. “Naizvozvo, nyora zvawaona, zviripo zvino nezvichazoitika shure kwaizvozvi. Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rworudyi nechezvigadziko zvinomwe zvemwenje ndechichi: Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe, uye zvigadziko zvinomwe zvemwenje ndidzo kereke nomwe. “Kumutumwa wekereke iri muEfeso nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi uye anofamba pakati pezvigadziko zvinomwe zvemwenje: ndinoziva mabasa ako, kubata kwako nesimba uye kutsungirira kwako. Ndinoziva kuti haudi kuonana navanhu vakaipa, uye kuti wakaedza avo vanozviti vapostori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari venhema. Wakatsungirira uye ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta. Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga. Rangarira pawakawa! Tendeuka uye uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho. Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari. “Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga noWokupedzisira, akafa uye akararamazve. Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani. Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri. “Kumutumwa wekereke iri muPegamo nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye ano munondo unopinza, unocheka kumativi ose. Ndinoziva paunogara, pachigaro choushe chaSatani. Asi wakaramba wakatendeka kuzita rangu. Hauna kuramba kutenda kwako kwandiri, kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka, uyo akaurayiwa muguta renyu, munogara Satani. Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe. Saizvozvowo, una vamwe vanobatirira kudzidziso yavaNikoraiti. Naizvozvo, tendeuka! Zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kuzovarwisa nomunondo womuromo wangu. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo ibwe jena rine zita idzva rakanyorwa pariri, rinongozivikanwa naiye anorigamuchira. “Kumutumwa wekereke iri muTiatira nyora kuti: Aya ndiwo mashoko oMwanakomana waMwari, ane meso anenge murazvo womoto uye ane tsoka dzinopenya sendarira. Ndinoziva mabasa ako, rudo rwako nokutenda kwako, kushumira kwako uye nokutsungirira kwako, uye kuti iye zvino uri kuita zvinopfuura zvawakaita pakutanga. Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo. Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka. Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo. Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake. Zvino ndinoti kwamuri mose imi muri paTiatira, kunemi vasingabatiriri padzidziso yake uye vasina kudzidza zvinonzi zvakavanzika zvaSatani (handichazoisi mimwe mitoro pamusoro penyu): Batisisai chete icho chamunacho kusvikira ndauya. Kuno uya anokunda uye achiita kuda kwangu kusvikira pakuguma, ndichamupa simba pamusoro pendudzi: ‘Achavatonga netsvimbo yesimbi; achavaputsa-putsa sezvaenga zvehari’ sokugamuchira kwandakaita simba kubva kuna Baba vangu. Ndichamupawo nyeredzi yamangwanani. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke. “Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari uye nenyeredzi nomwe. Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa. Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu. Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri. Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira. Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. “Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene uye wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura. Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu. Ndichaita kuti avo vari vesinagogi raSatani, vanozviti vaJudha kunyange vasiri ivo, asi varevi venhema, ndichaita kuti vauye uye vawire pasi petsoka dzako uye vagoziva kuti ndakakuda. Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika. Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako. Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke. “Kumutumwa wekereke iri muRaodhikea nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, mutongi wezvisikwa zvaMwari. Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti uve chimwe chaizvozvi! Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu. Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira. Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nomoto, kuti upfume; uye uve nenguo chena dzokupfeka, kuitira kuti ufukidze nyadzi dzokusasimira kwako; nechizoro chokuisa mumeso ako, kuitira kuti ugone kuona. Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, uye utendeuke. Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu uye akazarura musuo, ndichapinda uye ndigodya naye, uye iye neni. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.” Shure kwaizvozvi ndakatarisa, uye ipapo pamberi pangu pakanga pano mukova wakanga wakazaruka kudenga. Uye inzwi randakanzwa richitaura kwandiri rakanga rakaita sehwamanda, rakati, “Kwira kuno, ndigokuratidza zvinofanira kuitika shure kwaizvozvi.” Pakarepo ndakava muMweya, uye ipapo pamberi pangu pakava nechigaro choushe kudenga, nomumwe akanga agere pamusoro pacho. Uye akanga agerepo akanga akaita sedombo rejasipa nekarineri. Muraravungu, wakanga wakafanana nedombo reemaradhi, wakanga wakakomberedza chigaro choushe. Zvimwe zvigaro zvoushe makumi maviri nezvina zvakanga zvakakomberedza chigaro choushe, uye vakanga vagere pamusoro pazvo vakanga vari vakuru makumi maviri navana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vane korona dzegoridhe mumisoro yavo. Pachigaro choushe pakabuda kupenya kwemheni, kudengenyeka uye namaungira okutinhira. Pamberi pechigaro choushe, pakanga pane mwenje minomwe yaipfuta. Iyi ndiyo mweya minomwe yaMwari. Pamberi pechigaro choushe paivawo nezvaitarisika segungwa regirazi, rakachena sedombo rekristaro. Pakati, paipoteredza chigaro choushe, pakanga pane zvisikwa zvina, uye zvakanga zvakafukidzwa nameso, mberi neshure. Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakaita seshumba, chechipiri chakanga chakaita senzombe, chechitatu chakanga chine chiso sechomunhu, chechina chakanga chakaita segondo rinobhururuka. Chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakanga china mapapiro matanhatu uye chakanga chakafukidzwa nameso kumativi ose, kunyange pasi pamapapiro acho. Masikati nousiku hazvina kumborega kuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, ndiye Ishe Mwari Wamasimba Ose, akanga aripo, aripo, uye achazouya.” Pose paipa zvisikwa zvipenyu mbiri, kukudzwa nokuvonga kuna iye anogara pachigaro choushe, iye anogara nokusingaperi-peri, vakuru makumi maviri navana vaiwira pasi pamberi pake iye anogara pachigaro choushe, uye vaimunamata iye anogara nokusingaperi-peri. Vaikanda korona dzavo pamberi pechigaro choushe vachiti: “Makafanira, Ishe naMwari wedu, kugamuchira mbiri nokukudzwa, uye nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, nokuda kwenyu zvakasikwa, uye zviripo nokuda kwenyu.” Ipapo ndakaona muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe bhuku rakanga rakapetwa, rakanga rakanyorwa kumativi ose uye rakanamwa nezvisimbiso zvinomwe. Uye ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru achiti, “Ndiani akafanira kusunungura chisimbiso nokuzarura bhuku rakapetwa?” Asi hakuna munhu kudenga kana panyika kana pasi penyika aigona kuzarura bhuku rakapetwa kana kunyange kutarira mukati maro. Ndakachema nokuchema kukuru nokuti hakuna munhu akawanikwa akanga akafanira kuzarura bhuku rakapetwa kana kutarira mukati maro. Ipapo mumwe wavakuru akati kwandiri, “Usachema! Tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, akakunda. Iye anogona kuzarura bhuku rakapetwa nezvisimbiso zvaro zvinomwe.” Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose. Rakauya rikatora bhuku rakapetwa muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe. Uye rakati raritora, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru makumi mana navana vakawira pasi pamberi peGwayana. Mumwe nomumwe akanga ano rudimbwa uye vakanga vakabata ndiro dzegoridhe dzakanga dzizere nezvinonhuwira, inova ndiyo minyengetero yavatsvene. Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa nokuzarura zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi. Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu, uye vachatonga panyika.” Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru. Vakaimba nenzwi guru vachiti: “Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa, kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!” Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana. Ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!” Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata. Ndakatarisa Gwayana paraizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe. Ipapo ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi rainge romutinhiro, “Uya!” Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena! Akanga akaritasva akanga akabata uta, uye akapiwa korona, akakwira akabuda somukundi kuti andokunda. Gwayana rakati razarura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti, “Uya!” Ipapo rimwe bhiza rakabuda, riri dzvuku kwazvo. Mutasvi waro akapiwa simba rokubvisa rugare panyika nokuita kuti vanhu vaurayane. Munondo mukuru wakapiwa kwaari. Gwayana rakati razarura chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndakatarira, uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake. Ipapo ndakanzwa kurira kwainge inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti, “Chiyero chegorosi ndicho mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye zviyero zvitatu zvebhari ndizvo mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye musakanganisa mafuta newaini!” Gwayana rakati razarura chisimbiso chechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, “Uya!” Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza rakanga rakachenuruka! Mutasvi waro ainzi Rufu, uye Hadhesi rakanga richimutevera riri pedyo mumashure make. Vakanga vapiwa simba pamusoro pechikamu chechina chenyika kuti vauraye nomunondo, nenzara nedenda, uye nezvikara zvenyika. Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yaavo vakanga vaurayiwa nokuda kweshoko raMwari uye nokuda kwokupupura kwavakanga vaita. Vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Ishe Tenzi, mutsvene wezvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?” Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena, uye vakaudzwa kuti vamirire kwechinguva chiduku, kusvikira kuwanda, kwavamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo avo vaifanira kuurayiwa saivo, kwakwana. Ndakatarira paaizarura chisimbiso chechitanhatu. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru. Zuva rakasviba rikaita senguo dzamasaga dzakaitwa namakushe embudzi, mwedzi wose ukashanduka ukatsvuka seropa, uye nyeredzi dzomudenga dzakawira panyika, samaonde eshure azuka kubva mumuonde paunenge wazungunuswa nemhepo ine simba. Denga rakabva sebhuku rinopetwa, uye makomo ose nezvitsuwa zvakabviswa panzvimbo dzazvo. Ipapo madzimambo enyika, machinda, vatungamiri, vapfumi, vane simba, navaranda vose uye navanhu vakasununguka vakavanda mumapako napakati pamabwe amakomo. Vakadanidzira kumakomo nokumabwe vachiti, “Wirai pamusoro pedu uye mutivige kubva kuchiso chaiye anogara pachigaro choushe nepahasha dzeGwayana! Nokuti zuva guru rehasha dzavo rasvika, uye ndianiko anogona kumira?” Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati: “Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.” Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: Zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri. Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso, kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaSimeoni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaRevhi, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaIsakari, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaZebhuruni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaJosefa zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri. Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo. Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti: “Ruponeso ndorwaMwari wedu, iye anogara pachigaro choushe, uye ndorweGwayana.” Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari, vachiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokubwinya nouchenjeri nokuvonga nokukudzwa noushe nesimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperiperi. Ameni!” Ipapo mumwe wavakuru akandibvunza akati, “Ava vakapfeka nguo chena, ndivanaaniko, uye vakabvepi?” Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.” Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo uye vakadzichenesa muropa reGwayana. Naizvozvo, “vari pamberi pechigaro chaMwari uye vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake; uye iye anogara pachigaro choushe achatambanudza tende rake pamusoro pavo. Havachazoziyi nenzara zvakare; havachazopiswi nezuva, kana nokupisa kupi zvako. Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo; richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu. Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.” Akati azarura chisimbiso chechinomwe, kwakava nokunyarara kudenga kwenguva inenge hafu. Uye ndakaona vatumwa vanomwe vanomira pamberi paMwari, uye vakapiwa hwamanda nomwe. Mumwe mutumwa, akanga ano mudziyo wezvinonhuwira wegoridhe, akauya akamira paaritari. Akapiwa zvinonhuwira zvizhinji zvokuzopa, pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose, paaritari yegoridhe pamberi pechigaro choushe. Utsi hwezvinonhuwira, pamwe chete neminyengetero yavatsvene, zvakakwira pamberi paMwari kubva muruoko rwomutumwa. Ipapo mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto waibva paaritari, akaukanda panyika; uye ipapo kwakauya maungira omutinhiro, muroromero, kupenya kwemheni nokudengenyeka kwenyika. Ipapo vatumwa vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe vakagadzirira kudziridza. Mutumwa wokutanga akaridza hwamanda yake, ipapo kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, uye zvikakandwa pamusoro penyika. Chetatu chenyika chakapiswa, chetatu chemiti chikapiswa, uye uswa hwose hunyoro hukapiswa. Mutumwa wechipiri akaridza hwamanda yake uye chimwe chinhu chakanga chakaita segomo guru, raipfuta rose, chikakandwa mugungwa. Chetatu chegungwa chakashanduka chikava ropa, chetatu chezvisikwa zvipenyu zviri mugungwa chikafa, uye chetatu chezvikepe chikaparadzwa. Mutumwa wechitatu akaridza hwamanda yake, uye nyeredzi huru, yakanga ichipfuta somwenje, yakawa kubva kudenga pamusoro pechetatu chenzizi nezvitubu zvemvura, zita renyeredzi rainzi Chinovava. Chetatu chemvura zhinji chakavava, uye vanhu vazhinji vakafa nokuda kwemvura yakanga yovava. Mutumwa wechina akaridza hwamanda yake, uye chetatu chezuva chikarohwa, chetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, zvokuti chetatu chazvo chakashanduka chikasviba. Chetatu chezuva iro chakanga chisina chiedza, uyewo nechetatu chousiku uhwo. Pandakatarira, ndakanzwa gondo rakanga richibhururuka pakati pomuchadenga richirira nenzwi guru richiti, “Nhamo! Nhamo! Nhamo kuna vanogara panyika, nokuda kwehwamanda dzava kuda kuzoridzwa navamwe vatumwa vatatu!” Mutumwa weshanu akaridza hwamanda yake, uye ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo. Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo. Uye muutsi makabuda mhashu dzikauya panyika uye dzikapiwa simba rakaita serezvinyavada zvenyika. Dzakaudzwa kuti dzirege kuparadza uswa hwenyika kana zvirimwa, kana miti ipi zvayo, asi vanhu vaya chete vakanga vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo. Hadzina kupiwa simba rokuvauraya, asi kungovarwadzisa chete kwemwedzi mishanu. Uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokworumborera rwechinyavada pachinoruma munhu. Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; vachashuva kufa asi kufa kuchavanzvenga. Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza agadzirirwa kundorwa. Pamisoro yadzo dzakanga dzakapfeka zvinhu zvinenge korona yegoridhe, uye zviso zvadzo zvakaita sezvavanhu. Bvudzi radzo rakanga rakaita sebvudzi romukadzi, uye meno adzo akanga akaita semeno eshumba. Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvidzitiro zvesimbi, uye mubvumo wamapapiro wakanga wakaita sokutinhira kwengoro namabhiza mazhinji ari kumhanyira kundorwa. Dzakanga dzine miseve norumborera sorwezvinyavada, uye mumiswe yadzo dzakanga dzine simba rokurwadzisa vanhu kwemwedzi mishanu. Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni. Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera. Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, uye ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari. Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.” Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zvenguva yacho iyoyo, uye zuva iroro, nomwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chetatu chamarudzi avanhu. Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo. Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri. Chetatu chamarudzi avanhu chakaurayiwa namatambudziko matatu omoto, utsi nesafuri zvakabuda mumiromo yawo. Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo uye nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo. Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba. Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga. Akanga akafukidzwa mugore, nomuraravungu pamusoro pake; chiso chake chakanga chakaita sezuva, uye makumbo ake akanga akaita sembiru dzomoto. Akanga akabata bhuku duku rakapetwa, rakanga rakazaruka muruoko rwake. Akaisa rutsoka rwake rworudyi pagungwa uye rworuboshwe rwakatsika panyika, uye akadanidzira nenzwi guru sokuomba kweshumba. Akati adanidzira, inzwi rokutinhira kunomwe rakataura. Uye kutinhira kunomwe kwakati kwataura, ndakanga ndava kunyora; asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Namira zvarehwa nokutinhira kunomwe uye usazvinyora pasi.” Ipapo mutumwa wandakanga ndaona amire pagungwa napanyika akasimudzira ruoko rwake rworudyi kudenga. Uye akapika naiye anogara nokusingaperi-peri, iye akasika matenga nezvose zviri maari, nyika nezvose zviri mairi, uye negungwa nezvose zviri mariri, uye akati, “Hapachazombovizve nokunonoka! Asi pamazuva ayo mutumwa wechinomwe paanenge oda kuridza hwamanda yake, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakazivisa varanda vake ivo vaprofita.” Ipapo inzwi randakanga ndanzwa richibva kudenga rakataurazve kwandiri richiti, “Enda, utore bhuku rakapetwa rakazarurwa muruoko rwomutumwa amire pagungwa napanyika.” Saka ndakaenda kumutumwa ndikamukumbira kuti andipe bhuku duku rakapetwa. Akati kwandiri, “Tora uridye. Richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira souchi.” Ndakatora bhuku duku rakapetwa kubva muruoko rwomutumwa uye ndikaridya. Raitapira sokutapira kunoita uchi mumukanwa mangu, asi ndakati ndaridya, mudumbu mangu mukavava. Ipapo ndakaudzwa kuti, “Unofanira kuprofitazve pamusoro pavanhu vazhinji, nendudzi, nendimi uye namadzimambo.” Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera uye ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari uye nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo. Asi usiye ruvazhe rwokunze; usaruyera, nokuti rwakapiwa kuvaHedheni. Vachafamba-famba muguta dzvene kwemwedzi makumi mana nemiviri. Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.” Ava ndivo miti miviri yomuorivhi nezvigadziko zviviri zvemwenje zvimire pamberi paIshe wenyika. Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza. Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo. Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya. Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjiipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo. Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo. Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika. Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukabata avo vakavaona. Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti, “Kwirai kuno.” Uye vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vachizviona. Panguva yacho iyoyo kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika uye chegumi cheguta chikawondomoka. Zviuru zvinomwe zvavanhu zvakaurayiwa mukudengenyeka kwenyika ikoko, uye vakasara vakavhundutswa nazvo uye vakarumbidza Mwari wokudenga. Nhamo yechipiri yapfuura; nhamo yechitatu iri kuuya nokukurumidza. Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, uye kudenga kukava namanzwi makuru aiti: “Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake, uye achatonga nokusingaperi-peri.” Uye vakuru makumi maviri navana, vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo uye vakanamata Mwari, vachiti: “Tinokuvongai imi, Ishe Mwari Wamasimba Ose, Iye aripo uye akanga aripo, nokuti matora simba renyu guru uye matanga kutonga. Ndudzi dzakatsamwa; uye hasha dzenyu dzauya. Nguva yokutonga vakafa yasvika, neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro, uye navatsvene venyu naavo vanotya zita renyu, zvose vaduku navakuru, uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.” Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda. Chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakaonekwa kudenga: mukadzi akanga akapfeka zuva, uye mwedzi uri pasi petsoka dzake, nekorona ine nyeredzi gumi nembiri pamusoro wake. Akanga ane mimba uye akadanidzira mukurwadziwa sezvo akanga ava kupona. Ipapo chimwe chiratidzo chakaonekwa kudenga: shato huru tsvuku ine misoro minomwe nenyanga gumi nekorona nomwe mumisoro yayo. Muswe wayo wakatsvaira chetatu chenyeredzi kubva kudenga uye ukadzikanda pasi. Shato yakamira pamberi pomukadzi akanga ava kuzvara, kuitira kuti iparadze mwana wake kana angozvarwa. Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe. Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu. Uye kudenga kwakava nehondo. Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, uye shato navatumwa vayo ikadzorerawo. Asi yakanga isina simba rakakwana, uye nzvimbo yavo yakashayikwa kudenga. Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake. Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika, uye nesimba raKristu wake. Nokuti mupomeri wehama dzedu, Iye akavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku, akandwa panyika. Vakamukunda neropa reGwayana uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa. Naizvozvo farai, imi matenga nemi munogara maari! Asi mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti dhiabhori aburuka kwamuri! Akatsamwa kwazvo, nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.” Shato yakati yaona kuti yakanga yakandwa panyika, yakadzinganisa mukadzi akanga azvara mwana mukomana. Mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuitira kuti agobhururuka achienda kunzvimbo yaakanga agadzirirwa kugwenga, uko kwaaizochengetwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kusingasviki nyoka. Ipapo nyoka yakabudisa mvura yakaita sorwizi kubva mumuromo mayo, kuti ikukure mukadzi namafashamu. Asi nyika yakabatsira mukadzi nokuzarura muromo wayo uye ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa neshato mumuromo wayo. Ipapo shato yakatsamwira mukadzi uye ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vachibatirira pauchapupu hwaJesu. Uye shato yakamira pamahombekombe egungwa. Uye ndakaona chikara chichibuda mugungwa. Chakanga chine nyanga gumi nemisoro minomwe, nekorona gumi panyanga dzacho, uye pamusoro mumwe nomumwe paiva nezita rokumhura. Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada, asi chakanga china makumbo akaita seebere uye muromo wakaita soweshumba. Shato yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choushe nesimba rayo guru. Mumwe wemisoro yechikara wakaita sowakuvadzwa kusvikira parufu, asi vanga raifanira kuchiuraya rakanga rapora. Nyika yose yakashamiswa uye ikatevera chikara. Vanhu vakanamata shato nokuti yakanga yapa simba kuchikara, uye vakanamatawo chikara vachiti, “Ndianiko akaita sechikara? Ndianiko angarwa nacho?” Chikara chakapiwa muromo wokutaura mashoko okuzvikudza neokumhura nokushandisa simba racho kwemwedzi makumi mana nemiviri. Chakashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, uye kuti chituke zita rake nenzvimbo yake yokugara, neyaavo vanogara kudenga. Chakapiwa simba kuti chirwe navatsvene uye kuti chivakunde. Uye chakapiwa simba pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose uye nendudzi dzose. Vose vanogara panyika vachanamata chikara, vose vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika. Ane nzeve, ngaanzwe. Kana munhu achifanira kupinda muutapwa, muutapwa achapinda hake. Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo, nomunondo achaurayiwa hake. Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene. Ipapo ndakaona chimwe chikara, chichibva munyika. Chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chaitaura seshato. Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya. Uye chakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru, kunyange kuita kuti moto uburuke kubva kudenga uchiuya panyika vanhu vachinyatsoona. Nokuda kwesimba rachakapiwa kuti chiite pachinzvimbo chechikara chokutanga, chakanyengera vanogara panyika. Chakavarayira kuti vamise chifananidzo chokuremekedza chikara chiya chakanga chakuvadzwa nomunondo asi chikararama. Chakapiwa simba rokupa upenyu kuchifananidzo chechikara chokutanga, kuti chigone kutaura uye chigoita kuti vose vanoramba kunamata chifananidzo vaurayiwe. Chakamanikidza munhu wose, muduku nomukuru, mupfumi nomurombo, akasununguka nomutapwa, kuti vapiwe mucherechedzo paruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angagona kutenga kana kutengesa kunze kwokunge ano mucherechedzo, unova ndiwo zita rechikara kana chiverengo chezita racho. Izvi zvinoda uchenjeri. Kana pano munhu anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara, nokuti ndicho chiverengo chomunhu. Chiverengo chacho ndichochi: Mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu. Ipapo ndakatarisa, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane Gwayana, rimire paGomo reZioni, uye rakanga rina vanhu zviuru zana namakumi mana navana vakanga vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo. Uye ndakanzwa inzwi richibva kudenga rakaita somubvumo wemvura zhinji uye samaungira omutinhiro. Inzwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vanoridza rudimbwa rwavo. Uye vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina uye napamberi pavakuru. Hakuna munhu aigona kudzidza rwiyo urwo kunze kwaava zviuru zana namakumi mana navana vakanga vadzikinurwa kubva panyika. Ava ndivo vaya vasina kuzvisvibiswa navakadzi, nokuti vakazvichenesa. Vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Vakatengwa pakati pavanhu uye vakapiwa kuti vave sezvipiriso zvezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana. Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose. Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.” Mutumwa wechipiri akatevera akati, “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru, rakaita kuti ndudzi dzose dzinwe waini inopengesa youpombwe hwaro.” Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko, naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana. Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.” Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vachiramba vakatendeka kuna Jesu. Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.” “Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.” Ndakatarira, ipapo pamberi pangu pakanga pane gore jena, uye akanga agere pagore akanga ari mumwe “akaita somwanakomana womunhu” ane korona yegoridhe pamusoro wake uye ane jeko rinopinza muruoko rwake. Ipapo mumwe mutumwa akabuda mutemberi uye akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga agere pagore akati, “Tora jeko rako ugokohwa, nokuti nguva yokukohwa yasvika, nokuti goho renyika raibva.” Saka iye akanga agere pagore akavheyesa jeko rake panyika, uye nyika ikakohwewa. Mumwe mutumwa akabuda mutemberi iri mudenga, naiyewo akanga ane jeko rinopinza. Mumwezve mutumwa, akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda achibva paaritari akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza akati, “Tora jeko rako rinopinza ugounganidza masumbu amazambiringa anobva pamuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.” Mutumwa akavheyesa jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa awo uye akaakanda muchisviniro chikuru chewaini chehasha dzaMwari. Akatsikwa muchisviniro, kunze kweguta, uye ropa rikayerera richibuda muchisviniro rikakwira kusvikira pamatomu amabhiza kwechinhambwe chinoita makiromita mazana matatu. Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera. Uye ndakaona chaitaridzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho uye nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti: “Mabasa enyu makuru uye anoshamisa, Ishe Mwari Wamasimba Ose. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo wamakore. Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe, nokupa mbiri kuzita renyu? Nokuti ndimi moga mutsvene. Ndudzi dzose dzichauya dzigonamata pamberi penyu, nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.” Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka. Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanire egoridhe pazvipfuva zvavo. Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri. Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera. Ipapo ndakanzwa inzwi guru richibva mutemberi richiti: kuvatumwa vanomwe, “Endai, mundodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.” Mutumwa wokutanga akaenda akandodurura ndiro yake panyika, uye maronda akaipa, anorwadza akabuda muvanhu vakanga vano mucherechedzo wechikara uye vachinamata mufananidzo wacho. Mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa, uye rikashanduka rikava ropa seromunhu akafa, uye zvipenyu zvose zvomugungwa zvikafa. Mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, uye zvikava ropa. Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti: “Imi makarurama mukutonga uku, imi muripo uye makanga muripo, Mutsvene Oga, nokuti makatonga saizvozvo; nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita, uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.” Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti: “Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Ose kutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.” Mutumwa wechina akadurura ndiro yake pazuva, uye zuva rikapiwa simba rokupisa vanhu nomoto. Vakapiswa nokupisa kukuru uye vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze. Mutumwa wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara, uye umambo hwacho hukakandwa murima. Vanhu vakatsenga rurimi mukurwadziwa uye vakatuka Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo namaronda avo, asi vakaramba kutendeuka pane zvavakanga vaita. Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, uye mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo. Ipapo ndakaona mweya yakaipa mitatu yakanga yakaita samatafi; yakabuda mumuromo meshato, mumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema. Iyi ndiyo mweya yamadhimoni inoita zvishamiso nezviratidzo, uye inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose, kundovaunganidza kuti vandorwa pazuva guru raMwari Wamasimba Ose. “Tarirai ndinouya sembavha? Akaropafadzwa uyo anogara akasvinura uye anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba akashama uye afukurwe zvinonyadzisa.” Ipapo vakaunganidza madzimambo pamwe chete panzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni. Mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, uye mutemberi makabuda inzwi guru richibva pachigaro choushe, richiti, “Zvaitwa!” Ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro nokudengenyeka kwenyika kukuru. Hakuna kumbova nokudengenyeka kwakadaro kubva pakutanga kwavanhu kugara panyika; kwaiva kudengenyeka kukuru kwazvo. Guta guru rakatsemuka rikaita mapandi matatu uye maguta endudzi akakoromoka. Mwari akarangarira Bhabhironi guta guru akaripa mukombe uzere newaini yokutsamwa kwehasha dzake. Zvitsuwa zvose zvakatiza uye makomo haana kugona kuwanikwa. Kudenga kwakabva chimvuramabwe chikuru chaiva neibwe rairema tarenda uye ibwe rimwe nerimwe rakawira pavanhu. Uye vakatuka Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko iri rakanga rakaipa kwazvo. Mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe akauya kwandiri akati, “Uya ndizokuratidza kurangwa kwechifeve chikuru, chinogara pamusoro pemvura zhinji. Naye, madzimambo enyika akaita upombwe uye vanogara panyika vakadhakwa newaini youpombwe hwake.” Ipapo mutumwa akanditakura ndiri muMweya akaenda neni kugwenga. Ikoko ndakaona mukadzi agere pamusoro pechikara chitsvuku chakanga chakafukidzwa namazita okumhura uye chakanga chine misoro minomwe nenyanga gumi. Mukadzi uyu akanga akapfeka nguo yepepuru nezvitsvuku uye aitaima negoridhe, mabwe anokosha namaparera. Akanga akabata mukombe wegoridhe muruoko rwake, uzere nezvinonyangadza uye netsvina youpombwe hwake. Zita iri rakanga rakanyorwa pahuma yake: CHAKAVANZIKA BHABHIRONI GUTA GURU MAI VEMHOMBWE NEZVINONYANGADZA ZVENYIKA Ndakaona kuti mukadzi uyu akanga araradza neropa ravatsvene, ropa ravaya vanopupura Jesu. Pandakamuona, ndakakatyamara zvikuru. Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Seiko wakatyamara? Ndichakutsanangurira chakavanzika chomukadzi uye nechechikara chaanotasva, chine misoro minomwe nenyanga gumi. Chikara, chawaona, chaivapo kare, zvino hachisisipo, uye chichabuda mugomba rakadzika chigoenda kundoparadzwa. Vanogara panyika vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachakatyamara pavachaona chikara, nokuti chakanga chiripo, asi zvino hachisisipo, asi chichauya. “Izvi zvava kuda pfungwa dzine njere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe anogarwa nomukadzi uyu. Pane madzimambo manomwewo. Vashanu vakawa, mumwe chete aripo, mumwe wacho haasati auya; asi paanouya, anofanira kugara kwechinguva chiduku. Chikara chiya chaivapo, uye chisisipo zvino, ndiye mambo worusere. Ndiye mumwe wavanomwe uye ari kuzoparadzwa. “Nyanga gumi dzawaona ndiwo madzimambo gumi vasati vagamuchira umambo, asi paawa imwe chete vachagamuchira simba samadzimambo pamwe chete nechikara. Vane chinangwa chimwe chete uye vachapa umambo hwavo nesimba ravo kuchikara. Vachaita hondo neGwayana, asi Gwayana richavakunda nokuti ndiye Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo, uye vakadanwa varo ndivo vachava naro, vakasanangurwa uye vateveri vakatendeka.” Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Mvura zhinji yawaona, panogara chifeve, ndiwo marudzi, navazhinji zhinji, nendudzi nemitauro mizhinji. Chikara nenyanga gumi dzawaona zvichavenga chifeve. Zvichachiparadza zvigochisiya chisina kupfeka; zvichadya nyama yacho zvigochipisa nomoto. Nokuti Mwari akazviisa mumwoyo yavo kuti apedze zvaaifunga nokubvuma kupa chikara simba rokutonga, kusvikira mashoko aMwari azadziswa. Mukadzi wawaona ndiro guta guru rinotonga pamusoro pamadzimambo enyika.” Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake. Akadanidzira nenzwi guru achiti: “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru! Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa, ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza. Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro. Madzimambo enyika akaita upombwe naro, uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pakufadzwa kwaro kuzhinji.” Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro, kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo; nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga, uye Mwari arangarira mhosva dzaro. Ritsivei sokutsiva kwarakaita; ritsivei kaviri pane zvarakaita. Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro. Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita. Rinozvikudza mumwoyo maro richiti, ‘Ndigere samambokadzi; handizi chirikadzi, uye handingatongochemi.’ Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti: rufu, kuchema nenzara. Achaparadzwa nomoto, nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru. “Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema nokuungudza pamusoro paro. Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure uye vagochema vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, Iwe guta guru, Iwe Bhabhironi, guta resimba! Kuparara kwako kwasvika munguva imwe chete!’ “Vashambadziri venyika vachachema nokuungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu anotenga nhumbi dzavozve, nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana; nhumbi dzesinamoni nezvinonhuwira, mura nezvizoro zvinonhuwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu. “Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’ Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema nokuungudza uye vachadanidzira vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru, wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku, uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera! Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’ “Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure. Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’ Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru, vose vaiva nezvikepe pagungwa vakapfuma noupfumi hwaro! Muawa imwe chete, raparara! Farai pamusoro paro, imi denga! Farai, vatsvene navapostori navaprofita! Mwari aritonga nokuda kwamabatiro arakakuitai.’ ” Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati: “Nechisimba chakadai guta guru reBhabhironi richakandwa pasi, risingazombowanikwizve. Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda, havachazonzwikwizve mauri. Hakuna munhu webasa ripi zvaro achazowanikwazve mauri. Inzwi reguyo harichazonzwikwizve mauri. Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri. Inzwi rechikomba neromwenga hazvichazonzwikwizve mauri. Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika. Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa. Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene, neravose vakaurayiwa panyika.” Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita somutinhiro wavazhinji zhinji richiti: “Hareruya! Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kwakarurama. Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho. Akatsiva paari ropa ravaranda vake.” Uyezve vakati: “Hareruya! Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.” Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi uye vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti: “Ameni, Hareruya!” Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti: “Rumbidzai Mwari wedu, imi varanda vake mose, imi munomutya, mose vaduku navakuru!” Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokuunga kwomutinhiro, richiti: “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga. Ngatifarei uye tifarisise uye timurumbidze! Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, uye mwenga waro azvigadzirira. Akapiwa mucheka wakachena, wakanaka uye unopenya kuti aupfeke.” Mucheka wakanaka ndiwo mabasa akarurama avatsvene. Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.” Pakarepo ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate. Asi iye akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako dzinobatirira pakupupura Jesu. Namata Mwari! Nokuti uchapupu hwaJesu ndiwo mweya wouprofita.” Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo. Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazikanwi nomunhu asi naiye oga. Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari. Hondo dzokudenga dzakanga dzichimutevera, akatasva bhiza jena uye akapfeka mucheka wakanaka, wakachena uye usina tsvina. Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. “Achavatonga netsvimbo yesimbi.” Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose. Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa: MAMBO WAMADZIMAMBO NAISHE WAMADZISHE Uye ndakaona mutumwa amire muzuva, akadanidzira nenzwi guru kushiri dzose dzinobhururuka muchadenga achiti, “Uyai, unganai pamwe chete pachirariro chaMwari, kuti muzodya nyama yamadzimambo, vakuru, uye varume vane simba, yamabhiza neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vaduku navakuru.” Ipapo ndakaona chikara namadzimambo enyika uye nehondo dzavo dzakaungana pamwe chete kuti dzindorwa nomutasvi akanga ari pabhiza uye nehondo yake. Asi chikara chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema akanga aita zviratidzo pachinzvimbo chacho. Nezviratidzo izvi akanga atsausa avo vakanga vagamuchira mucherechedzo wechikara uye vanamata mufananidzo wacho. Vaviri ava vakakandwa mudziva romoto unopfuta nesafuri vari vapenyu. Vakasara vavo vakaurayiwa nomunondo wakabuda mumuromo wouyo akanga akatasva bhiza, uye shiri dzose dzakagutswa nenyama yavo. Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akabata ngetani huru muruoko rwake. Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru. Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya uye akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku. Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama uye vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru. Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga. Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru. Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa. Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza. Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri. Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, uye zvikashayirwa nzvimbo. Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku. Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto. Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva! Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga nowokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake uye iye achava mwanakomana wangu. Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.” Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.” Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, uye akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari. Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuvaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro. Rakanga rina masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namaviri uye navatumwa gumi navaviri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namaviri avaIsraeri. Kumabvazuva kwakanga kuna masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi uye matatu kumavirira. Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pana mazita avapostori gumi navaviri veGwayana. Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro. Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhamha nokureba sourefu hwaro. Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namanaa nokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa. Rusvingo rwakanga rwakavakwa nejasipa, uye guta rakanga rakavakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi. Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi; yeshanu yesadhoni, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yokrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti. Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera. Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro. Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro. Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro. Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazovi nousiku ikoko. Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri. Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana. Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi. Hakuchazovizve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira. Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo. Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri. Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.” “Tarirai, ndinokurumidza kuuya! Akaropafadzwa uyo anochengeta mashoko ouprofita huri mubhuku iri.” Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi. Asi akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako vaprofita navose vanochengeta mashoko ebhuku iri. Namata Mwari!” Ipapo akati kwandiri, “Usanamira mashoko ouprofita hwebhuku iri, nokuti nguva yaswedera. Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.” “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita. Ndini Arifa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma. “Vakaropafadzwa avo vanosuka nguo dzavo, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu uye vagopinda muguta napasuo. Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita. “Ini Jesu, ndatuma mutumwa wangu kuti akupe uchapupu uhu hwekereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, Nyamatsatse inopenya.” Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi. Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri. Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri. Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.” Ameni. Uyai, Ishe Jesu. Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni.