Pakutanga Mwari akasika denga napasi. Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura. Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. Mwari akaona kuti chiedza chakanaka. Mwari akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, rima akariti usiku. Kwakasviba kukaedza. Iri rakava zuva rokutanga. Mwari akati, “Pakati pemvura ngapave neziendanakuenda rinokamuranisa mvura.” Mwari akabva aita ziendanakuenda riya ndokukamuranisa mvura yakanga iri pasi peziendanakuenda iroro neyaiva nechapamusoro paro, zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza ziendanakuenda riya kuti denga. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechipiri. Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete kuti pasi pakaoma pabude pachena,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti nyika. Mvura iya yakanga yaungana akaitumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akati, “Nyika ngaimere zvinomera zvorudzi norudzi, zvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi panyika,” zvikabva zvaita saizvozvo. Nyika yakamera zvinomera zvorudzi norudzi, nezvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi. Zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaona kuti zvakanaka. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitatu. Mwari akati, “Muziendanakuenda romudenga ngamuve namavheneko okusiyanisa masikati nousiku ave okuratidza mwaka namazuva namakore. Ngaave mavheneko omuziendanakuenda romudenga kuti avhenekere nyika,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaita mazivheneko maviri kunoti, zivheneko guru rokutonga masikati, kozoti zivheneko duku rokutonga usiku, akaitawo nyenyedzi. Mwari akazviisa muziendanakuenda romudenga kuti zvivhenekere nyika, zvichitonga masikati nousiku nokusiyanisa chiedza nerima. Mwari akaona kuti zvakanaka. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechina. Mwari akati, “Mumvura ngamuite bvakapfaka rezvinhu zvipenyu zvinoshambira. Shiriwo ngadzibhururuke pamusoro penyika nomudenga muziendanakuenda.” Mwari akasika mhando nemhando dzamazigaranyanya omumvura nedzezvinhu zvose zvazvo zvipenyu zvinofamba, zvinoita bvakapfaka mumvura, namarudzi ose eshiri dzine mapapiro. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akazvikomborera achiti, “Berekanai muwande muzadze mvura yomumakungwa. Shiri ngadziwandewo panyika.” Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechishanu. Mwari akati, “Nyika ngaiburitse mhando nemhando dzezvinhu zvipenyu, mhando nemhando dzezvipfuwo, nedzezvinokambaira nokuzvova napasi, nedzemhuka dzesango,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.” Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi. Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.” Mwari akati, “Chionai, ndakupai zvinomera zvose zvine mhodzi dzazvo zviri panyika, nemiti inobereka michero ine mhodzi kuti zvive chokudya chenyu. Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatarisa zvose zvaakanga aita, onei zvakanaka kwazvo. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitanhatu. Uku ndiko kupera kwakaita kusikwa kwedenga napasi nezvinhu zvose zvirimo. Musi wechinomwe Mwari akanga apedza basa rake raakaita. Akazorora musi wechinomwe pabasa rose raaiita, akasabata basa. Mwari akakomborera zuva rechinomwe akarieresa nokuti pazuva irori Mwari akazorora pabasa rake rose raakaita rokusika. Iyi ndiyo nhoroondo yokusikwa kwakaitwa denga napasi. Mwari Tenzi panguva yaakasika nyika nedenga, pasi pose pakanga pasati pava namakwenzi. Kwakanga kusinawo zvinomera nokuti Mwari Tenzi akanga asati anayisa mvura panyika uye hakuna airima nokuti kwakanga kusati kwava nomunhu aivapo. Asi mhute yaisimuka panyika ichinyorovesa pasi pose. Mwari Tenzi akatora ivhu panyika akaumba munhu, akamufemera mweya woupenyu mumhuno dzake. Munhu ndokubva ava noupenyu. Mwari Tenzi akasima bindu muEdheni kumabvazuva ndokuisamo munhu waakanga aumba. Mwari Tenzi akameresa muEdhenimo miti yorudzi norudzi yaiyevedza kutarisa, yaiva yakanaka kudya. Muti woupenyu waivawo pakati pebindu iroro, maivawo nomuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa. Kwaiva norwizi rwaibva muEdheni rwaidiridza bindu iroro rwaizobudamo rwokamukana ruchiita nzizi ina. Rwizi rwokutanga ndiPishoni. Ndirwo runopoterera nenyika yeHavhira, kune ndarama. Ndarama yenyika iyoyo yakanaka kwazvo, kunowanikawo masiriridzi edheriumu anonhuhwirira uye notumabwe tunokosha tweonikisi. Rwizi rwechipiri ndiGihoni. Ndirwo runopoterera nyika yose yeKushi. Rwizi rwechitatu ndiTigirisi, runopfuura nechokumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi. Mwari Tenzi akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni riya kuti aririme arichengete. Mwari Tenzi akaudza munhu kuti, “Idya zvako michero yemiti yose iri mubindu umu. Asi usadye muchero womuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa, nokuti zvechokwadi musi waunoudya unofa.” Mwari Tenzi akazoti, “Hazvina kunaka kuti munhu agare oga. Ndichamusikira mubatsiri akakodzerana naye.” Mwari Tenzi akatora ivhu akaumba mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akauya nadzo kuna Adhamu achida kuona kuti achadzitumidza mazita api. Mazita ose akatumidzwa zvinhu zvipenyu naAdhamu, ndiwo akava mazita azvo. Adhamu akatumidza mazita zvipfuwo zvose, neshiri dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi Adhamu akanga asina mubatsiri aikodzerana naye. Mwari Tenzi akavatisa Adhamu hope dzorufu. Avete kudaro, Mwari akamubvisa mbabvu yake imwechete ndokubva aisa nyama panzvimbo yayo. Mwari Tenzi akatora mbabvu iya ndokuumba munhukadzi ndokumupereka kuna Adhamu. Adhamu akati, “Hounoka zvino bvupa ramapfupa angu, nyama yomuviri wangu chaiyo. Achanzi munhukadzi, nokuti akatorwa pamunhurume.” Naizvozvo murume achasiya baba vake naamai vake achiva chiname nomukadzi wake, vaviri ava vachiva nyama imwechete. Izvozvi murume nomukadzi wake vose vari vaviri vakanga vasina kusimira asi vakanga vasinganyarani. Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupinda mhuka dzesango dzose dzakasikwa naMwari Tenzi. Nyoka yakati kumukadzi, “Ko ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya michero yemiti yose yomubindu muno?’ ” Mukadzi akati, “Isu tingadye zvedu michero yose yemiti iri mubindu. Asi Mwari akati musadye muchero womuti uri pakati pebindu, kana kuubata zvako nokuti mungafe.” Nyokawo ikati kumukadzi, “Kwete, hamumbofa! Chiripo ndechichi, Mwari anoziva kuti, musi wamunodya muchero iwoyo, meso enyu anopengenutswa, mobva mafanana naMwari, moziva zvakanaka nezvakaipa.” Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanaka kudya zve unoyevedza kutarisa uyewo kuti unogona kungwarisa munhu. Ipapo akabva atora muchero wawo akadya, akapawo murume wake akadyawo. Pakarepo meso avo, vose vari vaviri, akapengenuka, vakaziva kuti havana kusimira. Vakasonanidza mashizha omuonde vachizvigadzirira zvokupfeka. Ava manheru kwotonhorera vakanzwa Mwari Tenzi achifamba-famba zvake mubindu, Adhamu nomukadzi wake vakahwanda Mwari Tenzi mukati memiti yomubindu imomo. Asi Mwari Tenzi akadaidza Adhamu achiti, “Uri kupiko?” Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita mubindu ndikatya nokuti handina kusimira, ndokubva ndahwanda.” Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?” Adhamu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ndive naye, ndiye andipa muchero womuti iwoyo ndikadya.” Mwari Tenzi akabvunza mukadzi achiti, “Chii chawaita ichochi?” Mukadzi akati, “Nyoka ndiyo yandifurira ndikabva ndadya.” Mwari Tenzi akataurira nyoka kuti, “Pamusana pezvawaita izvozvi, wapinda rushambwa pazvipfuwo zvose nemhuka dzose dzesango. Uchafamba nedumbu rako uchidya guruva, upenyu hwako hwose. Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.” Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.” Kuna Adhamu, Mwari akati, “Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako, ukadya muti wandakati usadye; nyika yapinda rushambwa pamusana pako, chokudya chako kuti uchiwanewo panyika, uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose. Nyika ichamera minzwa norukato. Iwe uchadya zvokudya zvomusango. Chokudya chako chichava chedikita kudzamara wadzokera muvhu, nokuti wakabva kuivhu, uri vhu, uchadzokerazve kuivhu.” Adhamu akatumidza mudzimai wake zita rokuti Evha nokuti ndivo amai vavanhu vose. Mwari Tenzi akaitira Adhamu nomukadzi wake nguwo dzamatehwe ndokuvapfekedza. Mwari Tenzi akati, “Chionaika, munhu afanana nesu, ava kuziva zvakanaka nezvakaipa. Zvino angadaro akatanha michero yomuti woupenyu akadya akararama nokusingaperi.” Naizvozvo Mwari Tenzi akamudzinga mubindu reEdheni kuti andorima muvhu muya maakabva. Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu. Adhamu akaziva mukadzi wake Evha. Evha akabva ava napamuviri akabereka mwana mukomana, Kaini. Akati, “Ndabatsirwa naTenzi kuwana mumwe munhu.” Akaberekazve munun'una wake Abhero. Abhero akazova mupfuwi wehwai, Kaini ari murimi. Gare gare Kaini akaunza zvimwe zvirimwa zvake akapira kuna Tenzi. Abhero akaunzawo nyama yakakora yehwayana pahwayana dzake sheshe dzamatangwe. Tenzi akafadzwa naAbhero nomupiro wake. Asi haana kufadzwa naKaini kana nomupiro wake. Kaini akatsamwa zvikuru akafundumwara. Tenzi akabvunza Kaini achiti, “Watsamwireiko? Wapfundumwarireiko? Handiti kana ukaita zvakanaka unogamuchirwawo here? Asi nokuti hauna kuita zvakanaka, chitadzo chakugaririra pamusuo, chichikutsvaka. Asi iwe unofanira kuchikunda, uchitonge.” Kaini akazotaurirana nomunun'una wake Abhero achiti, “Ngatimboendaika zvedu musango.” Ikoko Kaini akamukira munun'una wake, Abhero akamuuraya. Mwari akazobvunza Kaini achiti, “Ko munun'una wako, Abhero aripiko?” Kaini akati, “Handizivi. Ko ndini muchengeti womunun'una wangu here?” Mwari akati, “Ko izvozvi uri kuti waiteiko? Ropa romunun'una wako radeukira pasi, riri kuchema kwandiri. Chinzwa, wapinda rushambwa rwokudzingwa munyika ino yashama muromo wayo ikanwa ropa romunun'una wako rawadeura, iyewe noruoko rwako. Kana ukarima, nyika hapana chainokupa. Uchava swerakuenda nomudzungairi panyika.” Kaini akapindura Tenzi achiti, “Chirango chamanditemera chakanyanya kukura zvokuti handikwanisi kuchitakura. Chionaika kuti zvamandidzinga munyika ino ndichandotambura ndiri kwamusinganditariri, kwandichava swerakuenda nomudzungairi panyika. Ani naani anosangana neni achandiuraya.” Asi Tenzi akati, “Kwete. Ani naani anenge auraya Kaini anotsiviwa kakapetwa kanomwe.” Tenzi akaisa Kaini rupawo kuitira kuti munhu anenge azomuona arege kumuuraya. Kaini akabva paiva naTenzi akandogara kunyika yainzi Nodhi yaiva kumabvazuva kweEdheni. Kaini akasangana nomudzimai wake. Mudzimai wake akabva ava napamuviri ndokubereka Enoki. Akavaka guta akaritumidza zita romwana wake rokuti Enoki. Enoki akabereka Iradhi, Iradhi akabereka Mehuyaeri. Mehuyaeri akabereka Metushaeri. Metushaeri akabereka Rameki. Rameki aiva navakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha mumwe achinzi Zira. Adha akabereka Jabhari, ndiye aiva baba vavanhu vanogara mumatendhe vanochengeta zvipfuwo. Munun'una wake ainzi Jubhari, ndiye akatanga kuridza madimbwa nenyere. Zira akabereka Tubharikaini, mupfuri wesimbi dzendarira noutare. Hanzvadzi yaTubharikaini yainzi Naama. Rameki akati kumadzimai ake: “Adha naZira, ndinzwei. Imi vakadzi vaRameki teererai zvandava kureva. Ini pachangu ndakauraya murume akandikuvadza, kunyange iye akandidenha aiva chigwindiri chaicho. Kana kuuraya Kaini kuchitsiviwa kakapetwa kanomwe, kuuraya ini kunotsiviwa makumi manomwe akapetwa kanomwe.” Adhamu nomudzimai wake vakaberekazve mumwe mwana mukomana. Evha akamutumidza zita rokuti Seti achiti, “Mwari andipa zvakare mumwe mwana panzvimbo yaAbhero uya akaurayiwa naKaini.” Seti akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyoyo vanhu vakatanga kunamata Tenzi. Haanoi mazita ezvizukuru zvaAdhamu. Mwari paakasika munhu, akamusika akafanana naiye Mwari pachake. Akavasika vari munhurume nomunhukadzi, akavakomborera akavatumidza kuti vanhu paakavasika. Adhamu akagara makore zana namakumi matatu ndokubereka mwana mukomana akafanana naye, akamutumidza kuti Seti. Akazoberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Seti, Adhamu akazogarazve mazana masere amakore. Saka ose pamwechete, Adhamu akagara mazana mapfumbamwe amakore ana makore makumi matatu, ndokuzofa zvake. Seti akagara zana ramakore namakore mashanu ndokubereka Enoshi. Seti akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Enoshi, Seti akagarazve mazana masere amakore ana makore manomwe. Saka ose pamwechete, Seti akagara mazana mapfumbamwe amakore ana makore gumi namaviri ndokuzofa zvake. Enoshi akagara makumi mapfumbamwe amakore ndokubereka Kenani. Enoshi akazoberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Kenani, Enoshi akazogarazve mazana masere amakore namakore gumi namashanu. Saka ose pamwechete, Enoshi akagara mazana mapfumbamwe amakore ana makore mashanu, ndokuzofa zvake. Kenani akagara makumi manomwe amakore ndokubereka Mahararieri. Kenani akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Mahararieri, Kenani akazogarazve mazana masere ana makumi mana amakore. Saka ose pamwechete, Kenani akagara mazana mapfumbamwe ane gumi ramakore, ndokuzofa zvake. Mahararieri akagara makumi matanhatu amakore ana makore mashanu akazobereka Jaredhi. Mushure mokubereka Jaredhi, Mahararieri kagara mazana masere ana makumi matatu amakore, akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Saka ose pamwechete, Mahararieri akagara makore mazana masere ana makumi mashanu, ndokuzofa zvake. Jaredhi akagara zana rina makumi matanhatu amakore namakore maviri ndokubereka Enoki. Jaredhi akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Enoki, Jaredhi akazogarazve mazana masere amakore. Saka ose pamwechete, Jaredhi akagara mazana mapfumbamwe ana makumi matanhatu amakore ana makore maviri ndokufa zvake. Enoki akagara makumi matanhatu amakore ana makore mashanu, ndokubereka Metushera. Mushure mokubereka Metushera Enoki akanyatsowadzana naMwari kwamazana matatu amakore, akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Saka ose pamwechete, Enoki akagara mazana matatu amakore ana makore makumi matanhatu namashanu. Enoki ainyatsowadzana naMwari, ndokubva anyangarika nokuti Mwari akamutora. Metushera akagara zana rine makumi masere amakore ana makore manomwe vakazobereka Rameki. Metushera akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Mushure mokubereka Rameki, Metushera akazogarazve mazana manomwe ana makumi masere amakore ana makore maviri. Saka ose pamwechete, Metushera akagara mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu amakore ana mapfumbamwe ndokuzofa zvake. Rameki akagara zana namakumi masere amakore ana makore maviri, akaberekawo mwana mukomana waakatumidza zita rokuti Nowa, achiti, “Mwana uyu ndiye achatizorodza mwoyo pabasa redu rakaoma ratinotambura tichiita namaoko edu zvakakonzerwa nenyika yakapiwa rushambwa naTenzi.” Rameki akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Nowa, Rameki akazogarazve mazana mashanu ana makumi mapfumbamwe amakore ana makore mashanu. Saka ose pamwechete, Rameki akagara mazana manomwe ana makumi manomwe amakore ana makore manomwe, ndokuzofa zvake. Nowa akagara mazana mashanu amakore ndokubereka Shemu naHamu naJafeti. Vanhu pavakatanga kuwanda panyika, vakabereka vana vasikana. Vanakomana vaMwari vakaona kuti vasikana ivavo vakanga vakanaka, vakasarudza zvavo vakadzi vavakada, vakavaroora. Tenzi akati, “Handichabvumiri kuti mweya wangu uri mumunhu ugare maari nokusingaperi nokuti munhu ndowenyama, anofa. Saka haachagara panyika nguva inodarika zana ramakore rina makore makumi maviri.” Mazuva iwayo namazuva akatevera, panyika paiva nemazihofori chaiwo avanhu vakareba vakaberekwa navanakomana vaMwari pavakatorana navanasikana vavanhu. Vana vacho ndivo magamba aye makuru akarekare aiva nomukurumbira. Tenzi akaona kuti uipi hwevanhu hwakanga hwanyanya kuwanda panyika. Akaonawo kuti twavaiswerofunga zuva rose mumwoyo yavo, hwaiva huipi hwoga hwoga. Mwari akakungura kuti dai zvake asina kusika munhu pasi pano, zvikamushungurudza mumwoyo. Tenzi akati, “Ndichatsakatisa panyika vanhu vandakasika, ivo vanhu nemhuka nezvinokambaira nezvinozvova napasi, neshiri dzedenga. Ndino urombo kuti ndakasika vanhu.” Asi Tenzi akafadzwa zvake naNowa. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaNowa. Nowa akanga ari munhu akarurama ano unhu huzere chaihwo pachizvarwa chake. Nowa ainyatsowadzana naMwari. Nowa aiva navana vakomana vatatu, mazita avo ndiShemu naHamu naJafeti. Mukuona kwaMwari nyika yose yakanga yaora noupi, izere nokupandukirana. Mwari akatarisa panyika ndokuona kuti paora kwazvo nouipi nokuti vanhu vose panyika vakanga voita zviito zvakaora. Mwari akataurira Nowa kuti, “Ndafunga kutsakatisa vanhu vose nokuti ndivo vakaita kuti nyika izare nokupandukirana. Ndichavaparadza pamwechete nenyika. Asi iwe chizvigadzirira ngarava yomuti womugoferi, uikamure-kamure kuita dzimba mukati mayo, uiname netara mukati nokunze. Igadzire wakadai, urefu hwayo ngahuite zana nemakumi matatu amamita ana mamita matatu. Hwasha hwayo ngahuite makumi maviri amamita ana mamita maviri. Urefu hwayo kukwira mudenga kuite gumi ramamita namamita matatu. Unoisa denga pangarava usiye gwanza rina masendimita makumi mana namana pakati pedenga nechengo chayo, uite musuo necheparutivi rwengarava. Igadzire iine uriri hutatu hwakaturikidzana. Chinzwaka, ini ndichaunza panyika mafashamo emvura achaparadza zvinhu zvose zvino mweya unofema. Zvinhu zvose zviri panyika zvichafa. Asi ini ndichaita chitenderano changu newe. Ndichati iwe upinde mungarava, nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. Pamhando yoga yoga yezvinhu zvose zvipenyu unotora zviviri, chikono nechikadzi uende nazvo mungarava zvirarame pamwechete newe. Utorewo zviviri zviviri pamhando yoga yoga yeshiri nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi zvirarame. Unofanirawo kutora mhando dzose dzezvokudya uzviunganidzemo zvive chokudya chako nechazvo.” Nowa akaita zvose zvaakanzi naMwari aite. Tenzi akataurira Nowa achiti, “Pinda mungarava, iwe nemhuri yako yose. Ndazviona kuti pachizvarwa ichi ndiwe wakarurama. Pamhando yoga yoga yemhuka dzisina kun'ora tora mikono minomwe nehadzi dzacho nomwe. Pamhando yoga yoga yemhuka dzakan'ora utorewo mbiri mbiri hono nehadzi yacho. Torawo machongwe manomwe nesheshe nomwe pamhando yoga yoga yeshiri dzedenga kuti mhando yadzo isatsakatike panyika. Shure kwamazuva manomwe ini ndichanayisa mvura panyika siku nesikati, kwamazuva makumi mana. Ndichatsakatisa zvinhu zvose zvipenyu panyika.” Nowa akaita zvose zvaakaudzwa naTenzi. Nowa akanga ava namazana matanhatu amakore panguva yakauya mafashamo emvura. Nowa akapinda mungarava pamwechete nomudzimai navanakomana vake navaroora vake kuti vapunyuke mafashamo emvura. Mhando dzose dzemhuka dzakan'ora nedzisina kun'ora dzakapinda mungarava naNowa, dziri mbiri mbiri, hono nehadzi, pamwechete nemhando dzose dzeshiri nezvinokambaira nokuzvova napasi sokutaurirwa kwakaitwa Nowa naMwari. Kuzoti kwapera mazuva manomwe, mafashamo emvura akabva auya panyika. Nowa paakanga ava namazana matanhatu amakore mumwedzi wechipiri pazuva regumi nechinomwe romwedzi iwoyo, ndiro zuva rakatubuka zvisipiti zvemvura zhinji yepasipasi penyika zvikapfachuka, mahwindo okudenga akazarurwa, mvura zhinji ikanaya panyika siku nesikati, kwamazuva makumi mana. Pazuva iroro Nowa nomudzimai wake navanakomana vake vanaShemu naHamu naJafeti navaroora vake vatatu vakapinda mungarava pamwechete nemhando dzose dzemhuka, nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi, nemhando dzose dzeshiri. Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvakapinda mungarava naNowa zviri zviviri zviviri, chikono nechikadzi sezvakaudzwa Nowa naMwari. Tenzi ndokumupfigiramo. Mvura zhinji yakaramba ichinaya pasi pose kwamazuva makumi mana. Yakawanda zvokuti yakasumudza ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakaita mafashafasha, ikatutumuka kuzara pasi pose, ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. Mvura yakazara ikanyudza makomo marefu ose epasi pose. Mvura yakazara ikafukidza makomo ikaapfuurira namamita manomwe. Zvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika zvakafa, zvaiti: shiri nezvipfuwo nemhuka nezvinokambaira navanhu vose. Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvisingagare mumvura zvakapera kufa. Zvinhu zvipenyu zvose zvakatsakatiswa pasi pose zvaiti, vanhu nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi neshiri dzedenga, zvakatsakatiswa pasi pose. Asi kwakangosara Nowa chete navaaiva navo mungarava. Mvura ndokuramba yakati fasha panyika kwamazuva zana namakumi mashanu. Mwari akazorangarira Nowa nezvipenyu zvose nezvipfuwo zvese zvaaiva nazvo mungarava, saka Mwari akaita kuti mhepo ivhuvhute pasi pose mvura ikabva yava kuserera. Zvisipiti zviya zvapasipasi namahwindo edenga zvakamiswa kubudisa mvura, mvura yokunaya ikagasa, mvura ndokuramba ichiserera pasi pose. Kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yaingoserera. Zvino mumwedzi wechinomwe pamusi wegumi nechinomwe womwedzi iwoyo, ngarava yakagara pamakomo eArarati. Mvura yakaramba ichingoserera kusvikira pamwedzi wegumi. Zvino mumwedzi wegumi, pazuva rokutanga rawo, misoro yamakomo yakaonekwa. Kuzoti kwapera mazuva makumi mana, Nowa akazurura hwindo rengarava riya raakagadzira. Akatuma gunguo asi rakaramba richidzengerera zvaro kusvikira mvura yapwa panyika. Akazotumawo njiva achida kuziva kuti mvura yapwa here panyika. Asi njiva yakashaya pokumhara, ikadzokera kungarava nokuti mvura yakanga ichiripo panyika. Akaburitsa ruoko akaibata ndokuidzosera mungarava. Akagara mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya mungarava. Ava manheru njiva yacho yakadzokera kwaari yakaruma pamuromo wayo shizha nyoro romuorivhi richangobva mukutanhwa. Saka Nowa akaziva kuti mvura yapwa panyika. Akagara mamwe mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya, asi haina kuzodzokerazve kwaari. Pazuva rokutanga, mumwedzi wokutanga wegore rechimazana matanhatu ane gore rimwechete raNowa rokuberekwa, mvura yakanga yapwa panyika. Nowa akabvisa denga rengarava akaona kuti mvura yakanga yapwa panyika uye pakaoma pava kutoonekwa. Pazuva rechimakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yanyatsoti gwa kuoma. Mwari akataurira Nowa kuti, “Chibuda zvako mungarava iwe nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. Ubudewo nezvinhu zvipenyu zvose zvaunazvo zvinoti, mhuka dzose neshiri nezvipfuwo nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi, zviite zararira kuwanda panyika, zviberekane zviwande panyika.” Saka Nowa nomudzimai wake navanakomana vake navaroora vake vakabuda. Mhuka dzose nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi neshiri dzose nezvose zvinofamba panyika zvakabuda mungarava zviri mhando nemhando. Nowa akavakira Tenzi atari. Akatora mhuka imwechete pamhando yoga yoga yemhuka neyeshiri dzisina kun'ora, akapira mipiro yokupisa paatari. Tenzi akanzwa kunhuhwirira kwayo akati nechemumwoyo, “Handichazorega nyika ichiwirwa norushambwa pamusana pomunhu, nokuti ndangariro dzomwoyo womunhu dzakaipa kubvira pauduku hwake. Handichazomboparadzazve zvinhu zvipenyu zvose sezvandakaita rwendo runo. “Kana pasi richiripo, mwaka wokudyara nowokukohwa, wokutonhora nowokudziya, wezhizha nowechando, nguva yamasikati nousiku, zvichagara zviripo.” Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika. Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu. Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro. Asi chete nyama ichine ropa rayo, ichine upenyu hwayo, musaidye. Ndinoti kuurayiwa kwenyu vanhu kunofanira kutoripwa. Mhuka kana munhu anouraya munhu ndinoda kuona kuti atoripa. Munhu anouraya mumwe munhu, mhaka iyoyo inoripwa norufu rwomunhu. Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake. “Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.” Mwari akataurira Nowa navanakomana vake achiti, “Chinzwai, ndava kuita chitenderano changu newe nezvizvarwa zvako zvichauya, pamwechete nezvipenyu zvose zvaunazvo, zvinoti: shiri nezvipfuwo nemhuka dzose dzepanyika dzinewe nezvose zvabuda mungarava nemhuka dzose dzapasi pose. Chitenderano chandinoita nemi ndechichi chokuti, ‘Handichazomboparadza zvakare zvipenyu zvose namafashamo emvura uye hakuchazovizve namafashamo emvura okuparadza pasi pose.’ ” Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose. Kana ndichinge ndauyisa makore panyika, muraraungu ukaonekwa mumakore, ndipo pandichayeuka chitenderano changu chandaita nemi nezvipenyu zvose, saka mvura haizombove mafashamo okuparadza zvinhu zvipenyu zvose. Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.” Mwari akataurira Nowa achiti, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.” Vanakomana vaNowa vakabuda mungarava ndiShemu naHamu naJafeti. Hamu ndiye baba vaKanani. Ivava ndivo vanakomana vatatu vaNowa. Kwavari ivava ndiko kwakazobva vanhu vose vari panyika pano. Nowa aiva murimi akasima munda wemagirepisi. Akanwa waini akararadza akarara mutendhe rake asina kupfeka. Hamu baba waKanani akaonerera baba wake asina kupfeka, akandoudza mukoma nomunun'una wake panze. Shemu naJafeti vakatora nguwo vakaisumudza kusvika pamapfudzi avo vose vari vaviri, vakadududza namakotsi vakasvikofukidza baba vavo vakatarisa rutivi, saka havana kutarisa baba vavo vakanga vasina kupfeka. Nowa paakapengenuka mukuraradza newaini, akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku. Akati, “Kanani ngaawirwe norushambwa, ngaave muranda chaiye wokupedzesera kuvakoma navanun'una vake.” Akatiwo, “Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari waShemu, Kanani ngaave muranda waShemu. Mwari ngaakudziridze Jafeti, ngaagare mumatendhe aShemu, Kanani ave muranda wake.” Shure kwamafashamo emvura Nowa akagara mazana matatu amakore ana makore makumi mashanu. Saka ose pamwechete, Nowa akaita makore mazana mapfumbamwe ana makumi mashanu ndokuzofa zvake. Izvi ndizvo zvizvarwa zvavana vaNowa vanoti Shemu naHamu naJafeti zvaakabereka shure kwamafashamo emvura. Jafeti akabereka vanakomana vake vanoti: Gomeri naMagogu naMadhai naJavhani naTubhari naMesheki naTirasi. Gomeri akabereka vanakomana vake vanoti: Ashikenazi naRifati naTogarima. Javhani akabereka vanakomana vake vanoti: Erisha naTarishishi naKitimu naDhodhanimu. Izvozvi ndizvo zvizvarwa zvokwaJafeti, makabva madzinza akasiyana-siyana, akazogara akatevedza mahombekombe egungwa. Vagere munyika iyi vari mudzimhuri dzavo, mumarudzi akasiyana-siyana maererano nemitauro yavo. Hamu akabereka vanakomana vake vanoti: Kushi naIjipiti naPuti naKanani. Kushi akabereka vanakomana vake vanoti: Sebha naHavhira naSabhuta naRaama naSabhuteka. Raama akabereka vanakomana vake vanoti: Shebha naDhedhani. Kushi akaberekawo mwana wake mukomana anonzi Nimurodhi. Nimurodhi ndiye akazova mambo wokutanga pasi pano. Nenyasha dzaTenzi, Nimurodhi aiva hombarume chaiyo ndosaka vanhu vakazoita tsumo inoti, “Nenyasha dzaTenzi, ihombarume chaiyo saNimurodhi.” Akatanga kutonga Bhabheri neEreki neAkadhi munyika yeShinari. Akabva kunyika iyoyo akaenda kunyika yeAsiria, ndokuvaka guta reNinevhe neRehobhoti neKara neReseni, guta guru riri pakati peNinevhe neKara. Ijipiti akabereka Rudhimu naAnamimu naRehabhimu, kwouya Nafutuhimu naPatirusimu naKasiruhimu tateguru kwakabva vaFirisitia, naKafutorimu. Kanani akabereka Sidhoni dangwe rake, naHeti ndiye tateguru wamarudzi aya anoti, vaJebhusi nevaAmori nevaGirigashi, kwoti vaHivhi nevaAriki nevaSinai kwozoti vaArivhadhi nevaZemari nevaHamati. Gare gare madzinza evaKanani akazopararira. Nyika yavaKanani yaivambira kuSidhoni zvichienda kuGerari, kundosvika kuGaza, zvoenda nokuSodhomu neGomora neAdhima neZebhoimu kundogumira kuRasha. Ndizvozvi zvizvarwa zvokwaHamu, namadzinza avo nemitauro yavo nenyika dzavo nendudzi dzavo. Shemu mukoma waJafeti akaberekawo vana. Ndiye tateguru wemhuri yevaEbheru. Shemu akabereka vanakomana vake vanoti: Eramu naAshuri naAripakishadhi naRudhi naAramu. Aramu akabereka vanakomana vake vanoti: Uzi naHuru naGeteri naMashi. Aripakishadhi akabereka Shera, aShera akabereka Ebheru. Ebheru akabereka vanakomana vake vaviri, mumwe ndiPeregi nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamuraniswa. Munun'una wake ainzi Jokitani. Jokitani akabereka Arimodhadhi naSherefu naHazarimavheti naJera, kwozouya Hadhoramu naUzari naDhikira naObhari naAbhimaeri naShebha kwozouya Ofiri naHavhira naJobhabhu, vose ivava ndivo vanakomana vaJokitani. Nyika yavakanga vagere yaibvira kuMesha ichinanga nokuSefari kugomo rokumabvazuva. Ndizvozvi zvizvarwa zvokwaShemu namadzinza avo nemitauro yavo nenyika dzavo nendudzi dzavo. Iwaya ndiwo madzinza emhuri dzavanakomana vaNowa, nezvizukuru zvavo uye nendudzi dzavo, vakazotekeshera panyika mushure mamafashamo emvura. Pasi chigare, vanhu vose vaingotaura mutauro mumwechete, vaine mazwi mamwechetewo. Mukutamatama kwaiita vanhu kumabvazuva, vakazondogara vakaita musha wavo mubani reShinari kuBhabhironi. Vakazorangana vachiti, “Ngatikanyei zvidhina tinyatsozvipisa zvakanaka.” Zvidhina ndozvaiva matombo avo, dhaka ravo rokuvakisa riri tara. Vakazoti, “Ngatizvivakirei guta rine nhungamakore yeshongwe, tiite zita rino mukurumbira, tirege kungopararira nenyika.” Tenzi akaburuka kudenga kuzoona guta neshongwe zvakanga zvavakwa navanhu. Tenzi akati, “Onai vanhu ava vose vanongova rudzi rwumwechete uye vose vanotaura mutauro mumwechete. Idzi imviromviro chete dzezvavachaita. Hakuna chichavatadzisa kuita chinhu chose chose chavanofunga kuita. Ngatiburukei tindopesanisa mutauro wavo vagorega kunzwana pakutaura.” Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika yose, vakabva varega kuvaka guta riya. Saka zita reguta iroro rakanzi Bhabheri nokuti Tenzi akapesanisa mutauro wapasi pose. Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika, pasi pose. Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaShemu. Shemu akagara zana ramakore akabereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwamafashamo emvura. Abva mukubereka Aripakishadhi, Shemu akagara mazana mashanu amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Aripakishadhi akagara makumi matatu amakore ana makore mashanu, ndokuzobereka Shera. Mushure mokubereka Shera, Aripakishadhi akagarazve mazana mana amakore ana makore matatu, akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Shera akagara makumi matatu amakore akabereka Ebheru. Mushure mokubereka Ebheru, Shera akagarazve mazana mana amakore ana makore matatu akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Ebheru akagara makore makumi matatu namana akabereka Peregi. Mushure mokubereka Peregi, Ebheru akagarazve mazana mana ana makumi matatu amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Peregi akagara makumi matatu amakore akabereka Reu. Mushure mokubereka Reu, Peregi akagara mazana maviri amakore ana makore mapfumbamwe akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Reu akagara makumi matatu amakore ana makore maviri, akabereka Serugu. Mushure mokubereka Serugu, Reu akagara mazana maviri amakore ana makore manomwe akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Serugu akagara makore makumi matatu akabereka Nahori. Mushure mokubereka Nahori, Serugu akagara mazana maviri amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Nahori akagara makumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe akabereka Tera. Mushure mokubereka Tera, Nahori akagara zana ramakore namakore gumi namapfumbamwe akaberekawo vamwe vakomana navasikana. Tera akagara makore makumi manomwe akabereka Abhuramu naNahori naHarani. Hezvinoi zvizvarwa zvaTera. Tera akabereka Abhuramu naNahori naHarani. Harani ndiye baba vaRoti. Harani akafa baba vake vasati vafa, akafira kunyika kwaakaberekerwa muguta reUru kunyika yevaKaradhia. Abhuramu naNahori vakawana vakadzi vavo. Zita romukadzi waAbhuramu ndiSarai, zita romukadzi waNahori richinzi Mirika mwana waHarani. Harani, vakaberekawo Isika. Asi Sarai akanga asina mbereko asina mwana. Tera akatora mwanakomana wake Abhuramu, nomuzukuru wake Roti mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mudzimai womwana wake Abhuramu. Vose ivavo vakabva kuguta reUru munyika yevaKaradhia vakasimuka voenda kuKanani. Asi pavakasvika kuHarani vakaita musha wavo ikoko. Makore ose pamwechete aTera akagara mazana maviri amakore ana makore mashanu, ndokubva Tera azofira zvake kuHarani. Tenzi akataurira Abhuramu kuti, “Chibva munyika mako, ubve mukati mehama dzako, usiye musha wababa vako utamire kunyika yandichakuratidza. Ndichakuita rudzi rukuru, ndichakukomborera. Ndichaita kuti zita rako rikurumbire, iwe uchiva chikomborero. Ndichakomborera vanokumborera. Vanoti uwirwe norushambwa, ndichivapinza murushambwa. Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.” Saizvozvo Abhuramu akasimuka akaenda sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Roti akaendawo naye. Abhuramu akanga ava namakumi manomwe amakore ana makore mashanu paakatama kuHarani. Abhuramu akatora mudzimai wake Sarai naRoti mwanakomana womunun'una wake, noupfumi hwake hwose hwaakanga awana navaranda vaakanga awana muHarani. Akasimuka achienda kuKanani. Kuzoti asvika kuKanani, Abhuramu akafamba nomunyika imomo akasvikogara kuShikemu pamuti womuoki. Panguva iyoyo vaKanani vakanga vagere munyika iyoyi. Tenzi akazozviratidza kuna Abhuramu akati, “Ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako.” Naizvozvo akavakira atari Tenzi akanga azviratidza kwaari. Akabva ipapo akaenda kugomo riri kumabvazuva kweBhetieri. Akadzika matendhe ake panoti Bhetieri kumavirira, guta reAi nechokumabvazuva. Akavakira Tenzi atari ipapo, akanamata Tenzi. Abhuramu akaramba achienda nechokuNegevhu. Munyika iyoyo makaita nzara, shangwa chaiyo yenzara. Saka Abhuramu akaenda Ijipiti kumbondogarako. Kuzoti ava kusvika Ijipiti, Abhuramu akafanotaurira mudzimai wake Sarai achiti, “Iwe uri mukadzi akanaka kwazvo. Naizvozvo kana vaIjipiti vakakuona vachati, ‘Uyu mukadzi wake uyu,’ vakandiuraya, iwe vachikurega uri mupenyu. Chitoti zvako iwe uri hanzvadzi yangu ndiko kuti vatondiitira zvakanaka pamusana pako ndirege kuurayiwa.” Abhuramu paakasvika kuIjipiti, vaIjipiti vakaona kuti mukadzi wacho akanga akanaka kwazvo. Kuzoti machinda aFarao amuona akamurumbidza pana Farao. Mukadzi uya ndokubva atorwa akaendwa naye kumba kwaFarao. Pamusana paSarai, Farao akabata Abhuramu zvakanaka kwazvo, akava nehwai nemombe, namadhongi makono namakadzi navaranda vechirume nevechikadzi nengamera. Asi Tenzi akaunzira Farao navanhu veimba yake matambudziko makuru kwazvo pamusana paSarai mudzimai waAbhuramu. Farao akadaidza Abhuramu akati, “Chiiko ichi chawaita kwandiri.” Wakaregerereiko kundiudza kuti mukadzi uyu mudzimai wako? Seiko wakati, “Ihanzvadzi yangu, ndosaka ndakamutora kuti ave mukadzi wangu. Aiwa! Hoyu mudzimai wako. Chimutora ubve pano uende.” Farao akatuma vamwe vanhu vake kuti vaburitse Abhuramu nomudzimai wake munyika iyoyo, nezvinhu zvose zvavaiva nazvo vachimuperekedza. Abhuramu akabva muIjipiti iye nomudzimai wake nezvinhu zvose zvaaiva nazvo pamwechete naRoti vakaenda kuNegevhu. Abhuramu akanga akapfuma kwazvo. Aiva nemombe nesirivha nendarama. Akazosumuka muNegevhu akafamba kudzamara asvika kuBhetieri padongo riya raakanga akadzika matendhe ake pakutanga riri pakati peBhetieri neAi, paya paakavaka atari pakutanga. Ipapo Abhuramu akanamata kuna Yahweh achimudoma nezita. Roti uya aifamba naAbhuramu aivawo nemombe nezvimwewo zvipfuwo namatendhe ake zvokuti kwakanga kusina mafuro akakwana okufudzira zvipfuwo zvavo pamwe chete. Upfumi hwavo hwakanga hwakawandisa zvokuti vakanga vasisakwanise kuchange vachagara pamwechete. Pakanga pangove nokupopotedzana pakati pavafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nezvaRoti. Panguva iyoyo vaKanani nevaPerizi vakanga vachigerewo munyika iyoyo. Abhuramu akataurirana naRoti achiti, “Ngatiregei kuitirana gakava, kunyange vafudzi vedu ngavaregewo kuitirana gakava nokuti tiri hama nehama. Inga nyika ndiyo yese iyi yawakatarisa. Dai tikachiparadzana zvedu. Kana ukasarudza kuenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi. Kana ukasarudza kuenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora. Saka Roti akazvisarudzira bani rose romuna Jorodhani, akabva atamira kumabvazuva. Ndiko kuparadzana kwavakaita. Abhuramu akagara munyika yeKanani, Roti akandogarawo pakati pamaguta aiva mubani riya, akadzika matendhe ake pedyo neSodhomu. Vanhu veSodhomu vakanga vakaipa mwoyo, vaitadzira Tenzi kwazvo. Kuzoti Abhuramu naRoti vaparadzana Tenzi akataurira Abhuramu achiti, “Uri pauri ipapo, tarisa kuchamhembe nokumaodzanyemba, kumabvazuva nokumadokero, nokuti nyika iyoyi yose yauri kuona ndichaipa kwauri nezvizvarwa zvako nokusingaperi. Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande seguruva renyika zvokuti kana kuine munhu anogona kuverengeta guruva renyika ndiye angagonewo kuzoverenga zvizvarwa zvako. Chisimuka ufambe uchimema nyika iyoyi uone kureba kwayo noupamhi hwayo, nokuti ndiyoyi nyika yandichakupa.” Ipapo Abhuramu akandodzika matendhe ake paiva nemiti yemioku paMamure kuHebhuroni, akavakira Tenzi atari ipapo. Panguva yaAmuraferi mambo weShinari, Arioku mambo weErasari naKedhoriraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoimu, madzimambo iwaya akaita hondo namadzimambo aya anoti: Bhera mambo weSodhomu naBhirisha mambo weGomora naShinabhu mambo weAdhima naShemebheri mambo weZebhoimu namambo weBhera (kana kuti Zoari). Madzimambo iwaya ari mashanu akafunga zvokuita chirwirangwe akaunganidza hondo dzawo mubani reSidhimu kana kuti Gungwa roMunyu. Vakanga vari pasi pamambo Kedhoriraomeri kwamakore gumi nemaviri. Asi vakazomuitira chimurenga mugore regumi nechitatu. Zvino mugore regumi nechina Kedhoriraomeri akauya namadzimambo aaiva nawo akakunda vaRefaimu vaigara kuAsherotikarinaimu, nevaZuzimu kuHamu nevaEmimu kuShavhekiriataimu nevaHori mugomo ravo reSeiri kusvikira kuEriparani kumucheto werenje. Vakazodzoka vakaenda kuEnimishipati (kana kuti kuKadheshi), vakakurira nyika yose yavaAmereki navaAmori vakanga vagere Hazazonitamari. Madzimambo mashanu anoti, mambo weSodhomu namambo weGomora namambo weAdhima namambo weZebhoimu mambo weBhera (kana kuti Zoari) akandounganidza hondo dzawo mubani reSidhimu vakarwisana namadzimambo mana anoti; mambo weKedhoriraomeri weEramu namambo Tidhari weGoimu namambo Amuraferi weShinari namambo Arioku weErasari. Vakarwisana vachiti uku vana, uku vashanu. Bani reSidhimu rakanga riine migodhi mizhinji yetara. Madzimambo eSodhomu neGomora akatiza, vamwe vanhu vavo vakawira mumigodhi yacho. Vakasarawo vakatizira kumakomo. Madzimambo mana aye akapamba upfumi hwose hweSodhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose vakaenda nazvo. Kunyange Roti uya, mwanakomana womunun'una waAbhuramu akanga agere kuSodhomu vakamutapawo, vakapambawo upfumi hwake, vakaenda. Mumwewo akapunyuka ipapo akaenda akandoudza Abhuramu muHebheru kwaiva nemiti yemioku yokwaMamure kwavakanga vagere. Mamure uyu aiva worudzi rwevaAmori, iye aivawo mukoma nomunun'una naEshikoru naAneru. Ivava vose vaibatana pamwechete naAbhuramu pakurwa. Abhuramu paakanzwa zvokutapwa kwehama yake akaunganidza vanhu vake mazana matatu ane gumi navasere vakanga vakanyatsodzidziswa zvehondo vakaberekwa mumhuri dzavaranda vake. Vakaronda madzimambo aya kusvika kuDhani. Abhuramu akakamura varwi vake akavarwisa nousiku akavakunda, akavadzingirira kusvika kuHobha kuchamhembe kweDhamasikusi. Akadzoka nezvinhu zvose zvakanga zvapambwa, akadzokawo nehama yake Roti nezvinhu zvake, navakadzi navamwe vanhu. Kuzoti Abhuramu adzoka kuya kwaakanga akunda Kedhoriraomeri namadzimambo aakanga anawo, mambo weSodhomu akandomuchingamidza pabani reShavhe (kana kuti bani raMambo). Merekizedhekiwo mambo weSaremu aiva mupristi waMwari Wokumusorosoro akauyawo nechingwa newaini kuna Abhuramu. Akamukomborera achiti; “Mwari Wokumusorosoro, Musiki wedenga napasi, ngaakomborere Abhuramu. Ngaakudzwe Mwari Wokumusorosoro, akaisa vavengi venyu mumaoko enyu.” Abhuramu akabvisa chegumi chezvinhu zvose zvaakanga adzoka nazvo, akapa kuna Merekizedheki. Mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, “Pane zvawadzoka nazvo, ndipe vanhu utore zvako upfumi.” Asi Abhuramu akapindura mambo weSodhomu achiti, “Ndakapika naTenzi Mwari Wokumusorosoro ndichiti, ‘Pazvinhu zvenyu zvose handidi kutora kana chinhu zvacho, kunyange kashinda kana tambo zvayo yeshangu kuti murege kuzondikonora muchiti, ndini ndakatopfumisa Abhuramu.’ Ini pachangu handidi chinhu. Zvakadyiwa navarwi vangu pamwechete nomugove unopiwa vanhu vandakaenda navo, ndizvo zvanguwo zvandinowana. Asi regai Aneru naEshikoru naMamure vatore mugove wavo.” Mushure maizvozvi zvose, Abhuramu akaona chiratidzo akanzwa izwi raTenzi richiti, “Usambotya zvako Abhuramu. Ndini nhoo yako yokukudzivirira. Mubayiro wako uchava mukuru kwazvo.” Asi Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, zvamuchandipa zvichandibatsirei ndichidai kufamba zvangu ndisina kana mwana? Iyeka Ereazari wokuDhamasikusi ndiye achadya zvake nhaka yacho yomumba mangu.” Abhuramu akatizve, “Tarisai muoneka kuti hamuna kundipa mwana. Saka muranda akaberekerwa mumusha mangu ndiye achatodya nhaka yangu.” Ipapo akanzwa izwi raTenzi richiti, “Munhu wauri kutaura uyu haasi iye achadya nhaka yako. Mwana wako chaiye wokubereka ndiye achadya nhaka yako.” Mwari akabuda naye panze akati, “Tarisa kudenga uverenge nyenyedzi kana uchikwanisa kudziverenga.” Ndokuti, “Ndiko kuwanda kuchaita vana vako.” Abhuramu akatenda Tenzi zvikaita kuti Tenzi amuti akarurama. Mwari akati, “Ndini Tenzi ndakakuburitsa kuUru yevaKaradhia kuti ndikupe nyika ino kuti ive yako.” Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, ndichaziva sei kuti ichazova yangu?” Mwari akati, “Chitora tsiru remombe rina makore matatu nenhunzvi yembudzi ina makore matatu nehondohwe ine makore matatu nenjiva nenyana rehangaiwa.” Abhuramu akandotora izvozvo zvose ndokuuya nazvo kuna Mwari. Akatsemura dzose napakati, ndokuisa mapandi emhuka imwe neimwe pasi akatarisana. Asi shiri haana kudzitsemura. Kwaiti kukauya magora pamitumbi iya yakanga yatsemurwa, Abhuramu oadzinga. Kuzoti zuva rodoka, Abhuramu akabatwa nehope akakotsira hope dzorufu, akaputirwa nezarima guru raityisa. Ipapo Tenzi akati kuna Abhuramu “Ndinoda kuti unyatsoziva izvi zvokuti, vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo. Ikoko vachange vari varanda vachibatwa zvakaipa kwamazana mana amakore. Asi ini ndicharanga rudzi irworwo runenge ruchivaita varanda. Vana vako vachazobva ikoko vaine upfumi uzhinji. Asi iwe uchaenda zvakanaka kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ako, wanyatsokwegura zvako wozovigwa. Vachadzokera kuno panguva yechizvarwa chavo chechina nokuti uipi hwavaAmori hahusati hwasvika pakundifinha.” Kuzoti zuva radoka, kwasviba, kwakaoneka mbaura yaipfumbuka utsi nezhenje romoto richipfuura napakati pamapandi enyama aye. Pazuva iroro Tenzi akaita chitenderano naAbhuramu achiti, “Ndapa kuvana vako nyika ino inobvira mukakova keIjipiti kundosvika kurwizi rukuru, muna Yufuratesi. Munzvimbo iyoyi ndimo mune nyika dzamarudzi aya anoti: vaKeni navaKenizi navaKadhimoni kwouya vaHiti navaPerizi navaRefaimu kwozotiwo vaAmori navaKanani navaGirigashi navaJebhusi.” Sarai, mudzimai waAbhuramu haana kumuberekera mwana, asi aiva nomuranda wake wechikadzi worudzi rwechiIjipiti ainzi Hagari. Sarai akati kuna Abhuramu, “Tenzi akandinyima mwana. Wadii kutorana zvako nomuranda wangu. Zvimwe ndiye angazondiberekerawo vana.” Abhuramu akanzwa zvakataurwa naSarai. Saka Abhuramu apedza makore gumi ari munyika yeKanani, Sarai mudzimai waAbhuramu akatora Hagari muranda wake wechiIjipiti akamupa kuna Abhuramu kuti ave mukadzi wake. Abhuramu akapinda mumba naHagari akabva aita pamuviri. Kuzoti Hagari aona kuti ava napamuviri akatanga kushora Sarai, tenzikadzi wake. Sarai akanyunyutira Abhuramu vachiti, “Kutadzirwa kwose kwandiri kuitwa imhosva yako. Ndakakupa muranda wangu kuti ave murongo wako. Zvino zvaaona kuti ava napamuviri ava kundishora. Panyaya yangu iyoyi newe, Tenzi ngaakuone.” Abhuramu akataurira Sarai achiti, “Inga muranda wako ari mumaoko ako wani! Ita zvako zvaunoda naye.” Sarai akaomesera Hagari upenyu, Hagari akabva atiza pamusha ipapo. Mutumwa waTenzi akawana Hagari ari pachisipiti chemvura chaiva murenje chokunzira inoenda Shuru. Mutumwa akati, “Nhai Hagari, muranda waSarai, uri kubva kupiko? Ko uri kuenda kupi?” Hagari akati, “Ndiri kutiza tenzikadzi wangu, Sarai.” Mutumwa waTenzi akamuti, “Chidzokera kuna vatenzi vako, undozvirereka kwavari.” Mutumwa waTenzi akamuti, “Ndichaitawo kuti vana vako vawande chaizvo zvokuti havangaverengeki. Iwe zvawava napamuviri, uchabereka mwana mukomana uzomutumidza zita rokuti Ishimaeri, nokuti Tenzi anzwa kuchema kwako. Mwana wako achange aine mwoyo wougandanga chaihwo. Achagara akabatira vamwe matemo, ivowo vachigara vakamubatira matemo. Achagara akazvitsaura kuhama dzake dzose akadzitsvukisira maziso.” Hagari akapa zita kuna Tenzi nyakutaura naye rokuti “Muri Mwari anoona,” nokuti akazviti, “Ndatarisana here chokwadi naMwari wandaona, ndikaramba ndiri mupenyu?” Ndokusaka tsime iroro riri pakati peKadheshi neBheredhi rakazotumidzwa zita rokuti Bheerirahairoi. Hagari akazoberekera Abhuramu mwana mukomana. Abhuramu akatumidza mwana wake zita rokuti Ishimaeri. Panguva yaakaberekerwa Ishimaeri naHagari, Abhuramu akanga ava namakore makumi masere ana makore matanhatu. Abhuramu paakanga ava namakore makumi mapfumbamwe, Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Ndini Aripagomo. Tevera gwara rangu uvewo munhu akarurama. Ndichaita chitenderano changu newe, ndichaitawo kuti uve nezvizvarwa zvakawanda kwazvo.” Abhuramu akati pasi gwadagwa akatyora uso, Mwari ndokuti, “Chitenderano changu newe ndechichi: uchava baba vendudzi zhinji zhinji dzavanhu. Zita rako harichanzi Abhuramu, asi rava kunzi Abhurahamu nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji dzavanhu. “Ndichakupa vana vakawanda, mauri muchabva ndudzi dzakawanda, uye muchabudawo madzimambo mazhinji. “Ndichaita chitenderano changu newe chichagara nokusingaperi chinosvikira kuvana vako pazvizvarwa zvavo zvose zvichauya chokuti ndichava Mwari wako nowavana vako vachauya. Ndichapa iwe navana vako vachauya nyika ino yauchiri kumboti apa garei tamei apa garei. Nyika yose yeKanani ichava yavana vako narini wose, ini ndichava Mwari wavo.” Mwari akataurira Abhurahamu kuti, “Unofanira kuchengeta chitenderano changu newe, iwe navana vako vachauya pazvizvarwa zvavo zvose. Chitenderano changu chaunofanira kuchengeta, iwe nezvizvarwa zvako zvichauya, ndechichi chokuti, mwana wose mukomana pakati penyu ngaadzingiswe. Munofanira kudzingiswa. Kudzingiswa ikoku ndiko kuchava chiratidzo chechitenderano changu nemi. Pazvizvarwa zvenyu zvose, mwana mukomana anenge ava namazuva masere okuberekwa pakati penyu ngaadzingiswe, angave mwana womuranda wako akaberekwa mumusha mako kana womuranda wokutenga nemari yako, asiri worudzi rwako. Naizvozvo varanda vanoberekwa mumusha mako navaunotenga nemari yako, vose ngavadzingiswe. Nokudaro kudzingiswa ndiko kuchava chitenderano changu nemi chisingaperi chiri pamuviri wenyu. Munhurume wose anenge asina kudzingiswa, upenyu hwake nevokwake ngahugurwe nokuti atyora chitenderano changu.” Mwari akataurirazve Abhurahamu kuti, “Mudzimai wako Sarai, chirega kunge uchamudaidza nezita rokuti Sarai, zita rake rava kunzi Sara. Ndichakomborera Sara akuberekere mwana mukomana. Ndichakomborera Sara, agova amai vendudzi dzavanhu, maari muchabudawo madzimambo avanhu.” Abhurahamu akati gwadagwa akatyora uso akazviti nechomumwoyo, “Iye munhu ane zana ramakore angaite mwana nhai? Ko Sara ava namakumi mapfumbamwe amakore angabereke mwana nhai?” Abhurahamu akati kuna Mwari, “Madii zvenyu kuchengetera Ishimaeri nhaka iyoyi?” Mwari akati, “Kwete. Sara, mudzimai wako ndiye achakuberekera mwana mukomana ugomutumidza zita rokuti Isaki. Iyeyu nezvizvarwa zvake ndiye wandichaita kuti chitenderano changu newe chienderere mberi nokusingaperi. Kana zviri zvaIshimaeri, zvawataura ndazvinzwa. Chiteerera unzwe, ndichamukomborera ndichimupa vana vakawanda. Achava tateguru wamadzishe gumi namaviri uye ndichamuita rudzi rukuru. Asi chitenderano changu ndichachiita naIsaki wauchaberekerwa naSara gore rinouya panguva ino.” Kuzoti Mwari apedza kutaura naye, Mwari akabva paiva naAbhurahamu oenda zvake kudenga. Abhurahamu akatora mwana wake Ishimaeri pamwechete navaranda vose vomumusha make vaiti: varanda vakaberekwa mumusha make novokutenga nemari yake. Munhu wose wechirume akadzingiswa musi iwoyo sokutaura kwakaita Mwari kwaari. Abhurahamu akanga ava namakumi mapfumbamwe amakore ana makore mapfumbamwe paakadzingiswa. Ishimaeri mwana wake mukomana akanga ava namakore gumi namatatu paakadzingiswa. Abhurahamu nomwana wake Ishimaeri vakadzingiswa pamusi wakarewo, navanhurume vose vaiti vakaberekerwa mumusha make navaya vaakatenga nemari kuvatorwa vakadzingiswa pamwechete naye. Tenzi akazviratidza kuna Abhurahamu ari pamiti yemioku yokwaMamure agere pamusuo wetendhe rake masikati zuva richipisa. Akatarisa akaona varume vatatu vamire pakadaro apo. Paakavaona akabva pamusuo wetendhe akamhanyira kundosangana navo, akavagwadamira pasi. Akati, “Changamire wangu, kana zvichikufadzai musanyenyeredze zvenyu musha womuranda wenyu. Regai ndikupei tumvura, mushambe tsoka dzenyu mumbozorora zvenyu munyasi memuti, ini ndichikutorerai chingwa kuti mudye mudzore mwoyo mozoti mosimudzira zvenyu rwendo rwenyu nokuti ndokusaka wani mauya nokuno kune muranda wenyu.” Ivo vakati, “Ita zvako sezvawataura.” Abhurahamu akamhanyira kuna Sara mutendhe akati, “Kurumidza kutora zviero mwero mitatu yakaenzana youpfu hwekoroni hwakatsetseka hunokwana bhagidhi uhukanye ubike chingwa.” Abhurahamu akamhanyira kumombe, ndokusarudza chimhuru chine nyama yakanaka yakapfava akaipa muranda wake kuti avagadzirire. Akatora mukaka wakakora nomumbishi nenyama yechimhuru chiya chaakanga agadzirira akavaperekera, ndokumira panyasi pavo pasi pomuti, ivo vachidya zvavo. Varume vaya vakazoti, “Ko Sara mudzimai wako ari kupiko?” Abhurahamu akati, “Ari mutendhe umu.” Tenzi akati, “Chokwadi ini ndichakushanyirazve gore rinouya, panguva yepfumvudza. Ipapo Sara mudzimai wako achange ava nomwana mukomana.” Izvozvo Sara aizvinzwa zvake ari mutendhe raiva kuseri kwavo. Abhurahamu naSara vakanga vachembera vakwegura. Sara akanga aguma, asisateveri. Sara akabva aseka zvake nechomumwoyo achiti, “Iyeni ndachembera kudai, ndokunge ndichada zvomurume. Handiti vatenzi vangu kukwegura kwavaita izvozvi.” Tenzi akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko seiko Sara aseka, achiti, ‘Ini pangu pano ndachembera kudai ndingaberekewo mwana here?’ Pane chinhu chingaomere Tenzi here? Saka gore rinouya panguva ino yepfumvudza ndichakushanyirazve, Sara achange ava nomwana mukomana.” Asi Sara akaramba akati, “Handina kuseka ini,” nokuti akanga ava kutya. Mwari akati, “Aiwa, waseka iwe.” Varume vaya vakazosimuka vonanga kuSodhomu. Abhurahamu akavaperekedza. Tenzi akati, “Ko ndichavanzira Abhurahamu zvandava kuda kuita here, ini ndichiziva kuti Abhurahamu achazova rudzi rukuru rune simba uye kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzichakomborerwa pamusana pake? Kwete. Handingamuvanzire nokuti ndakamusarudza ndichiti arayire vana vake nemhuri yake ichauya, kuti vatevere ini Tenzi vachiita zvakarurama nokuitirawo vamwe zvakarurama nezvine ruenzaniso kuti ndiwane mazadzikisiro ezvandakapika kuna iye Abhurahamu.” Tenzi akati, “Mhosva dzeSodhomu neGomora dzasvika munzeve dzangu dzanyanya kuwanda, uye chitadzo chavo chaipisisa kwazvo. Naizvozvo ndiri kudzikako kundoona kana kuchema kuri kusvika munzeve dzangu kuri kukonzerwa zvechokwadi nezviito zvavo, kana zvisizvo ndigoziva.” Varume vaye vakabva ipapo, vakananga kuSodhomu. Abhurahamu akasara amire pana Tenzi. Abhurahamu akaswedera pana Tenzi akati, “Ko muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here? Ngatiti muguta imomo mune vakarurama vanokwana makumi mashanu hamungarinzwire tsitsi here pamusana pemakumi mashanu arimo muchibva marega kuriparadza? Regai zvenyu kuita zvakadaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa muchienzanisa vakarurama navakaipa. Regai zvenyu kumbodaro ko iye mutongi wepasi pose angatadze here kuita zvakarurama?” Tenzi akati, “Kana ndikawana muSodhomu muine vanhu vakarurama vanokwana makumi mashanu ndichanzwira tsitsi guta rose pamusana pavakarurama ivavo.” Abhurahamu akati, “Kunyange zvangu ndiri guruva nedota, ndatsunga kutaura kwamuri Tenzi wangu. Ngatitii poperevedza navanhu vashanu kuti vakwane makumi mashanu avakarurama, mungaparadze here guta rose pamusana pavashanu vanenge vashayikwa?” Mwari akati, “Handingariparadze kana ndikawana muine makumi mana navashanu ivavo.” Abhurahamu akataurazve achiti, “Zvimwe muchawanikwa muine makumi mana.” Mwari akati, “Handingazviite nokuda kwamakumi mana iwayo.” Abhurahamu akati, “Tenzi wangu, regai zvenyu kunditsamwira kana ndikataurazve. Zvimwe muchawanikwa muine makumi matatu?” Mwari akati, “Handingazviite kana ndikawana muine makumi matatu iwayo.” Abhurahamu akati, “Tenzi wangu, ndava kungoramba ndichikunyaudzai. Zvimwe muchawanikwa muine makumi maviri avakarurama.” Mwari akati, “Handingariparadze nokuda kwamakumi maviri iwayo.” Abhurahamu akati, “Regai zvenyu kunditsamwira Tenzi wangu kana ndikataurazve kamwechete koga. Zvimwe muchawanikwa muine gumi rimwechete ravanhu.” Mwari akati, “Handingariparadze nokuda kwegumi iroro.” Tenzi paakapedza kutaura naAbhurahamu akabva aenda zvake, Abhurahamu ndokudzokerawo zvake kwake. Vatumwa vaMwari vaviri ava vakasvika kuSodhomu ava manheru. Roti akanga agere pasuo guru reSodhomu. Roti avaona akasimuka akandochingurana navo akavagwadamira pasi akatyora uso akati, “Madzishe angu, uyai zvenyu kumba kwangu ini muranda wenyu, mushambe tsoka dzenyu, murareko mozofumomuka zvenyu moenda.” Asi ivo vakati, “Kwete. Tichavata zvedu pamusika.” Roti akavateterera chaizvo kusvikira aenda navo kumba kwake, vakapinda mumba. Akavaitira mabiko akavabikira chingwa chisina mbiriso vakadya. Asi vasati vamborara, varume vomuguta iroro, varume muSodhomu vakuru navadiki, vanhu vose zvavo pasina akasara vakakomba imba iyi. Vakadaidzira kuna Roti vachiti, “Varume vauya kwauri manheru ano vari kupiko? Vaburitse pano panze kwatiri kuti tivaite vakadzi vedu.” Roti akaenda kumusuo akabuda panze kuvanhu ivavo ndokupfiga musuo. Akati, “Hama dzangu regai kuita chakaipa chikadai. Ndine vanasikana vangu vaviri vachiri mhandara. Regai ndivaunze kwamuri muite zvenyu zvamunoda navo. Kana zviri zvavarume ava regai zvenyu kuwana chamungaite kwavari nokuti vaeni vauya mumba mangu.” Asi ivo vakati, “Ibvapo.” Vakatiwo, “Muchinda uyu akauya somuuyi, asi zvino ava kuzvitora somutongi! Zvino tichakuorora kupfuura zvatanga tichavaita.” Vakamomotera Roti vachimusunda vachida kupaza musuo wemba yake. Asi varume vaviri vaya vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga musuo. Vakapofomadza vanhu vose vaya vakanga vari pamusuo wemba, vakuru navaduku, vakadzungaira zvokutadza kuona musuo iwoyo. Varume vaviri vaya vakabvunza Roti vachiti, “Une vamwe vokwako muguta rino here, vakaita savakuwasha, kana kuti vana vakomana kana vasikana, kana vamwewo? Vaburitse muno nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino. Chatinodariro ndechichi: mhosva dzavanhu vayo dzasvika munzeve dzaTenzi, dzanyanya kuwanda zvokuti Tenzi atituma kuzoparadza.” Roti akabuda akandotaurira vakuwasha vake vaitarisirwa kuzoroora vana vake achiti, “Simukai mubve muno nokuti Tenzi achaparadza guta rino.” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti vari kuita jee navo. Kuzoti ava mambakwedza vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, “Chisimuka utore mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo pano uende, kuitira kuti murege kuparadzwa pacharangwa guta rino.” Asi Roti akaita chinono, varume ava ndokubva vati Roti nomukadzi wake navanasikana vake vaviri, maoko chapu, vakavaburitsa vachivakwekweretsera kunze kweguta nokuti Tenzi akavanzwira tsitsi. Pavakasvika navo kunze kweguta vakati, “Chitotizai muponese upenyu hwenyu, musacheuke muchitarisa shure kana kumira papi zvapo mubani. Tizirai kugomo mungadaro mukaparadzwa.” Asi Roti akati, “Kweteka, madzishe angu. Inga makafadzwa neni muranda wenyu wani mukandinzwira tsitsi dzenyu dzakawanda mukandinunura. Asi zvokutizira kugomo handingazvikwanise, njodzi ingadaro ikandiwira ndisati ndasvikako, ndikafa. Inga pane kaguta kari pedyo ako, handiti kadiki zvako, regai nditizireko ndirarame.” Mutumwa akati, “Zvakanaka, chichemo chako ndachinzwa. Chimwezve ndechokuti handichaparadza guta rawareva. Chikurumidza kutizira ikoko nokuti hakuna chandingaite usati wasvikako.” Saka zita reguta iroro rakatumidzwa kuti Zoari. Zuva rakanga ratobuda pakasvika Roti muZoari. Pakarepo Tenzi akanayisa moto wesarufa paSodhomu neGomora uchibva kudenga kuna iye Tenzi. Akaparadza maguta iwayo nebani rose navagari vomumaguta iwayo vose. Akaparadzawo zvose zvaimerapo. Asi mudzimai waRoti aivatevera ari shure, akacheuka akabva aita churu chomunyu. Abhurahamu akafumoenda paakanga amire naTenzi paya. Akatarisa kuSodhomu neGomora nokubani rose, onei utsi hwenzvimbo yose iyoyo huchitogoka mudenga soutsi hwevira romoto. Saka Mwari paakaparadza maguta omubani, akarangarira Abhurahamu, akaburitsa Roti mukati menhamo yokuparadzwa kwamaguta aaigara. Roti akazobva muZoari, akandogara mugomo, mubako, navanasikana vake vaviri vaya nokuti vakatya kugara muZoari. Mwana wavo wedangwe akataurira munun'una wake kuti, “Baba vedu vachembera uyezve hakuna varume munyika ino iyi vatingawanana navo sezvinongoitawo vanhu vose vose panyika. Ngatinwisei baba vedu waini tigorara navo kuti tiwane machengetero orudzi rurege kutsakatika.” Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini. Wedangwe akapinda muna baba vavo, akandovata navo. Baba ava havana kumboziva kuvata kwaakaita navo kana kuzobva kwaakaita pavari. Ramangwana racho, wedangwe akataurira munun'una wake achiti, “Ndakarara nababa usiku hwapfuura. Zvino ngativanwisei zvakare waini usiku hwanhasi, uendewo undorara navo kuti tiwane machengetero orudzi, rurege kutsakatika.” Usiku ihwohwo vakanwisazve baba vavo waini. Munun'una wacho akandorarawo navo. Baba ava havana kumboziva kuvata kwaakaita navo kana kuzobva kwaakaita pavari. Saka vanasikana vaRoti, vose vari vaviri, vakaita vana nababa vavo. Mwanasikana wedangwe akabereka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Moabhu. Ndiye tateguru wevaMoabhu. Munun'una wake akaberekawo mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Bheniami. Ndiye tateguru wevaAmoni variko nhasi uno. Abhurahamu akabva kuMamure akaenda kunyika yeNegevhu, akandogara pakati peKadheshi neShuru, akambogarawo kuGerari. Abhurahamu aiti, mudzimai wake, Sara ihanzvadzi yangu. Abhimereki mambo weGerari, akatuma vanhu vakandomuunzira Sara. Asi Mwari akauya kuna Abhimereki mukurota usiku akati kwaari, “Ndokufa uku kwawatoita pamusana pomukadzi wawandotora, mukadzi womuridzi.” Asi Abhimereki akanga asati atorana naye. Abhimereki akati, “Nhai Tenzi, mungaparadze rudzi rwavanhu vasina mhosva here? Haasiri iye pachake here akanditi, ‘Ihanzvadzi yangu.’ Mukadzi wacho pachake achiti, ‘Ihanzvadzi yangu.’ Ndakazviita mukusaziva, pasina chakaipa chandaimbofunga mumwoyo mangu.” Mwari akamutaurira mukurota ikoku achiti, “Ndinozviziva zvangu kuti wakazviita mukusaziva pasina chakaipa chawaimbofunga mumwoyo mako. Ndini ndakaita kuti urege kunditadzira, saka ndisina kukubvumidza kumbomugunzva zvako. Zvino chidzorera mukadzi womuridzi. Murume wake achakunamatira ugorarama nokuti muporofita. Asi kana ukarega kumudzorera, chinyatsoziva zvako kuti ndokufa kwawava kuita uku, iwe navanhu vako vose.” Saizvozvo Abhimereki akamuka mangwanani-ngwanani akadaidza makurukota ake ose ndokuaudza zvose izvozvi. Varume ivavo vakatya zvikuru. Abhimereki akadaidza Abhurahamu akati kwaari, “Chiiko ichi chawaita kwatiri? Ndakakutadzira zvakaita sei zvaunobva wandiunzira chitadzo chakakura chikadai ini nenyika yangu? Zvawandiitira izvi, hazvifanire kumboitwa!” Abhimereki akati kuna Abhurahamu, “Waifungeiko kuita zvinhu zvakadai?” Abhurahamu akati, “Ndakazviita ndichifunga kuti vanhu vokuno havatye Mwari, uye kuti zvimwe vangandiuraye pamusana pomudzimai wangu. Izvowo ihanzvadzi yangu chaiyo, baba vedu mumwechete, takangosiyana kunanamai. Akazovawo mudzimai wangu zvake. Mwari paakandibvisa kumusha kwababa vangu, achindiita kuti nditame-tame, ndakaudza mudzimai wangu ndichiti, ‘Ndiitirewo mwoyochena kwose kwatinoenda, upote uchinditi, ihanzvadzi yangu.’ ” Abhimereki akatora hwai nemombe, navaranda vechikadzi nevechirume akapa izvozvo Abhurahamu, akamudzorerawo Sara mudzimai wake. Abhimereki akati, “Tarisa uone, nyika yangu yose iyi yauri kuona, enda unogara pose pose paunoda.” Akataurirawo Sara achiti, “Ndapa hanzvadzi yako chiuru chemari yesirivha yokuratidza kuti hauna nemhosva yose nokukuchenurawo pana vamwe vako vose vaunavo navanhu vose zvavo.” Abhurahamu akanamata Mwari, Mwari ndokuporesa Abhimereki nomudzimai wake, navaranda vake vechikadzi kuti vave nembereko zvakare nokuti Tenzi akanga amisa kubereka vakadzi vose vemhuri yaAbhimereki, pamusana paSara, mudzimai waAbhurahamu. Tenzi akazoshanyira Sara sezvaakanga ataura, akamuitira zvaakanga amuvimbisa. Sara akava napamuviri akaberekera Abhurahamu mwana mukomana panguva yakatemwa naMwari paakataura naAbhurahamu. Izvozvo Abhurahamu akanga ava harahwa. Abhurahamu akatumidza mwana waaberekerwa naSara zita rokuti Isaki. Abhurahamu akadzingisa Isaki mwana wake ava namazuva masere okuberekwa sezvakanzi naMwari aite. Abhurahamu akanga ava namakore zana panguva yakaberekwa Isaki. Ipapo Sara akati, “Mwari andipa kuti ndiseke zvangu chikwe-e, vose vachazvinzwa vachasekawo neni.” Akati, “Ndianiwo zvake aimbozvifunga kuti Abhurahamu angaberekerwewo zvake vana neni Sara? Asi hezvika ndamuberekera mwana mukomana achembera kudai.” Mwana akazokura, akarumurwa. Abhurahamu akaita mabiko makuru kwazvo pamusi wakarumurwa Isaki. Zvakaitika kuti Sara akaona Ishimaeri mwanakomana waHagari muIjipiti, mwana waakaberekera Abhurahamu achiita jee naIsaki. Akataurira Abhurahamu kuti, “Dzinga muranda uyu nomwanakomana wake nokuti mwana womuranda uyu haafanire kudya nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaki.” Abhurahamu akashungurudzwa kwazvo mumwoyo nenyaya iyoyi yemwanakomana wake. Asi Mwari akataurira Abhurahamu achiti, “Rega kushungurudzwa zvako mumwoyo nezvomukomana uyu kana nezvomuranda uyu. Ita zvako zvose zvaunenge waudzwa naSara nokuti zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nezita raIsaki. Ndichaitawo kuti mwana womuranda wako abereke vana vakawanda zvokutova rudzi rwavanhu nokuti mwana wakowo.” Naizvozvo Abhurahamu akafumomuka akatora chingwa neguchu redehwe rine mvura, akapa Hagari, akamuberekesa mwana kumusana akati aende zvake. Hagari akasumuka akaenda akandodzungaira ari murenje reBheerishebha. Kuzoti mvura iye yomuguchu yapera, Hagari akaisa mwana mune chimwe chigwenzi. Hagari akaenda chinhambwe chingasvike dombo rokukanda nemaoko, akagara pasi achichema ari pakanga pakatarisana napaya paiva nomwana nokuti aiti, “Handingadi zvangu kuona mwana achifa ndakatarisa.” Mwari akanzwa kuchema kwomukomana uyu, mutumwa waMwari, ari mudenga, akadaidzira kuna Hagari achiti kwaari, “Ko chanetsa chiiko Hagari? Usatye zvako nokuti Mwari anzwa kuchema kwemwana paari ipapo. Simuka utore mwana unyatsomubata noruoko nokuti ndichaita kuti ave navana vakawanda zvokutova rudzi rukuru.” Mwari akapengenutsa maziso aHagari akaona tsime remvura. Akaenda akazadza guchu riya nemvura akapa mwana. Mwari aiva naIshimaeri akakura achigara murenje, akazova nyanzvi yokupfura nouta nemiseve. Aigara murenje reParani. Amai vake vakazondomutorera mukadzi kuIjipiti. Panguva iyoyo Abhimereki naFikori mukuru mukuru wehondo yake vakataurirana naAbhurahamu vachiti, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita, saka ipo pano chipika naMwari kwandiri kuti hauzombonyengedza ini kana vana vangu, kana zvizukuru zvangu, sokutendeseka kwandakaita kwauri ugovawo wakatendeseka kwandiri nokunyika yaugere somutorwa.” Abhurahamu akati, “Ndinopika.” Abhurahamu paakanyunyutira Abhimereki nezvetsime remvura rakanga rapambwa navaranda vaAbhimereki, Abhimereki akati, “Handizive akaita izvozvo. Iwe hauna kumbondiudzawoka. Ndatotangisa kuzvinzwa nhasi uno.” Abhurahamu akatora hwai nemombe ndokupa Abhimereki, vakabva vasunga chibvumirano pauviri hwavo. Abhurahamu akatsaurawo nhunzvi nomwe dzehwai ndokudziisa padzo dzoga. Abhimereki akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko nhunzvi nomwe idzi dzawatsaura dzinoreveiko?” Abhurahamu akati, “Gamuchirai nhunzvi nomwe idzi sechiratidzo chokundipupurira kuti ndini ndakachera tsime iri.” Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti Bheerishebha nokuti ipapo vakaitirana mhiko pauviri hwavo. Kuzoti vaita chitenderano chavo kuBheerishebha, Abhimereki naFikori, mukuru mukuru wehondo yake, vakasumuka vakadzokera zvavo, kunyika yevaFirisitia. Abhurahamu akasima muti womutamarisiki kuBheerishebha, akanamata Tenzi, Mwari Chidzachepo. Abhurahamu akagara munyika yevaFirisitia kwenguva ndefu. Mushure maizvozvi, Mwari akaedza Abhurahamu akati, “Abhurahamu.” Iye akati, “Ndiri pano.” Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, iye mumwechete oga, wepamwoyo, Isaki uende naye kunyika yeMoria umuite chibayiro chomupiro wokupisa ikoko pane rimwe gomo randichakuudza.” Abhurahamu akafumomuka akaisa chityaro padhongi rake akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaki. Akatema huni dzokupisa nadzo mupiro wokupisa, ndokusimuka oenda kunzvimbo yaakanga audzwa naMwari. Pazuva retatu Abhurahamu akatarisa akaona nzvimbo iyoyo ichiri chinhambwe. Abhurahamu akataurira varanda vake achiti, “Chimbosarai pano apa nedhongi iri, ini nomwana timboenda kundonamata tigozoti todzoka zvedu kuno kwamuri.” Abhurahamu akatora huni dziye akadzitakudza Isaki mwana wake. Iye akatakura moto nebanga mumaoko, vakaenda zvavo vose vari vaviri. Isaki akabvunza Abhurahamu baba vake achiti, “Nhai baba!” Iye akati, “Chiiko mwanangu?” Isaki akati, “Moto nehuni tinazvo, ko hwayana yokundoita chibayiro chomupiro wokupisa iri kupi?” Abhurahamu akati, “Mwanangu, Mwari pachake ndiye achaona kuti tawana hwayana yechibayiro chemupiro wokupisa.” Saka vose vari vaviri vakaenda zvavo. Vakasvika panzvimbo yavakanga vataurirwa naMwari. Abhurahamu akavaka atari ipapo. Akanyatsoronga huni, akasunga Isaki mwanakomana wake akamuradzika paatari, pamusoro pehuni. Abhurahamu ndokutambanudza ruoko rwake otora banga kuti achibaya mwana wake. Pakarepo mutumwa waMwari akadaidzira ari mudenga achiti, “Abhurahamu, Abhurahamu!” Abhurahamu akati, “Ndiri pano.” Mutumwa akati, “Usakuvadze mwana wako kana kuwana chaungaite paari. Zvino ndazoziva kuti unotya Mwari, zvausina kurambira nomwanakomana wako, mumwe chete oga.” Abhurahamu akatarisa onei seri kwake kuine hondohwe yakakochekera nenyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akandotora hondohwe iyoyo, akaiita chibayiro chomupiro wokupisa panzvimbo yomwana wake. Saka Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti “Tenzianoonazvokuita,” kunyange nanhasi uno zvichiri kungonzi, “Pagomo raTenzianoonazvokuita.” Ipapo mutumwa waTenzi akadaidzira rwechipiri ari mudenga kuna Abhurahamu achiti, “Ndinopika neni pachangu. Ndini Tenzi ndinodaro kutaura. Zvawaita chinhu chakadai ichi ukarega kurambira nomwanakomana wako, mwana wako mumwechete oga, ndichanyatsokukomborera chaizvo. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga, sejecha romumahombekombe egungwa. Maguta avavengi vavo, vana vako vachaaita avo. Nokuda kwavana vako marudzi apasi pose achakomborerwa nokuti wateerera zvandinoreva.” Abhurahamu akadzokera kuvaranda vake ndokusumuka voenda vose kuBheerishebha. Abhurahamu akaita musha wake kuBheerishebha. Shure kwaizvozvo Abhurahamu akazoudzwa kuti, “Mirika akaberekera munun'una wake Nahori vana vakomana.” Wedangwe ndiUzi achiteverwa naBhuzi, kwozouya Kemueri baba waAramu, tevere Kesedhi naHazo naPiridhashi naJidhirafu naBhetueri. Bhetueri ndiye akazobereka Ribheka. Aya ndiwo majaya masere akaberekwa naMirika mudzimai waNahori munun'una waAbhurahamu. Nahori akaberekawo vamwe vana nomurongo wake ainzi Reuma. Murongo iyeyo akabereka Tebha naGahamu naTahashi naMaaka. Sara akagara zana namakumi maviri amakore ana makore manomwe. Iwaya ndiwo makore ose oupenyu hwaSara. Sara akafira kuKiriatiaribha kana kuti Hebhuroni, munyika yeKanani. Abhurahamu akambotora nguva yokuyeuka rufu rwaSara achimuchema. Abhurahamu akasiya chitunha chiri mumba akandotaurirana navaHiti vachiti, “Ini ndinongovawo mutorwa zvangu, muuyi pakati penyu. Ndiwaniseiwo nzvimbo pakati penyu yokuviga hama dzangu dzinenge dzafa.” VaHiti vakapindura Abhurahamu vachiti, “Teererai munzwe, changamire, imi muri muchinda waMwari. Tinokuremekedzai kwazvo pakati pedu. Vigai zvenyu vafi venyu munzvimbo yakanakisisa pakati penzvimbo dzedu dzose dzokuvigira vanhu. Pakati pedu hapana angakunyimei nzvimbo yokuviga vafi venyu munzvimbo dzokuviga vafi.” Abhurahamu akasimuka ndokukotamira pasi achiremekedza vaHiti, varidzi venyika. Akati kwavari, “Kana mabvuma kuti ndivige vakafa vangu, chimbondinzwaiwo, zvino chindisvitsiraiwo chichemo changu kuna Efuroni mwanakomana waZohari, kuti andipe bako rake repaMakipera riri pamucheto womunda wake. Ngaanditengesere nomutengo waro wakakwana imi muchizviona. Ive nzvimbo yangu pachangu yokuviga vanhu.” Efuroni akanga agerepo mukati mevaHiti. Saka Efuroni, muHiti, akapindura Abhurahamu, vaHiti vose vakanga vauya kusuo guru vachizvinzwa. Akati, “Kwete, changamire. Ndinzwei ndinokupai munda iwoyo nebako ririmo, hama dzangu dzichizviona kuti muvige vafi venyu.” Abhurahamu akakotamira varidzi venyika achivaremekedza. Akataura kuna Efuroni dare rose ravanhu venyika iyoyo richizvinzwa achiti, “Ndichakupai mari yokutenga munda iwoyo, igamuchirei kuti ndivige vafi vangu.” Efuroni akapindura Abhurahamu achiti, “Changamire wangu, teererai munzwe. Kamutengo kenzvimbo yacho kanongova mazana mana chete emari yamashekeri yesirivha. Zvino munoti imari iyoyo here yatingatemeserane musoro nayo? Endai zvenyu mundoviga munhu wenyu.” Abhurahamu akabvumirana naEfuroni, ndokubva Abhurahamu aerera Efuroni mari yesirivha iya yavakataura vaHiti vachizvinzwa. Mari yacho yaikwana mazana mana esirivha maererano nomwero wouremo waishandiswa pakutengeserana. Ndokusaka nzvimbo yaEfuroni yokuMakipera iri kumabvazuva kweMamure yakanzi yava yaAbhurahamu. Nzvimbo iyoyo yaisanganisira munda wacho, kwouya bako raivemo, nemiti yose yaivemo kusvikira kumucheto wawo kuitenderedza. Yakapiwa Abhurahamu kuti ive yake, vaHiti navamwe vose vedare vakanga vauya kusuo guru reguta vachizvinzwa. Abhurahamu akaviga Sara mudzimai wake mubako riri kuMakipera, pakatarisana neMamure kuHebhuroni munyika yeKanani. Saka vaHiti vakapa Abhurahamu nzvimbo iyoyo nebako ririmo zvikabva zvava nzvimbo yake yokuviga vanhu vake. Zvino Abhurahamu akanga achembera mazuva aendedzana Tenzi akanga amukomborera pazvinhu zvose. Abhurahamu akataurira muranda wake mukuru pazera pana vose mumusha make aiva mutariri mukuru wokutarisa zvose zvemhuri yake, vachiti, “Isa ruoko rwako pasi pechidya changu, ugopika naTenzi, Mwari wedenga napasi, kuti hauzotorera mwanakomana wangu mukadzi pavasikana veKanani vandigere navo asi kuti uchazoenda kunyika kwangu, kune hama dzangu, kundotsvakira mwana wangu, Isaki, mukadzi ikoko.” Muranda akati, “Ko kana mukadzi wacho akaramba kuuya neni kuno, ndinofanira kudzorera mwana wenyu kunyika kwamakabva here?” Abhurahamu akati, “Kwete. Usambodzorera zvako mwana wangu ikoko. Tenzi, Mwari wedenga akandibvisa pamusha wababa vangu, munyika yandakaberekerwa akandipikira achiti, ‘Nyika ino ndichaipa kuzvizvarwa zvako,’ ndiye achatuma mutumwa wake kuzokutungamirira kuti undotorera mwana wangu mukadzi ikoko. Kana mukadzi iyeyo aramba kuuya newe, iwe uchasunungurwa pamhiko yangu yawapika. Asi chako iwe rega kudzokera nemwana wangu ikoko.” Muranda uyu akaisa ruoko rwake pasi pechidya chaAbhurahamu, vatenzi vake, ndokupika mhiko yacho. Muranda uyu akatora gumi, pangamera dzavatenzi vake, nezvipo zvakasiyana-siyana zvakanakisisa zvaibva kuna vatenzi vake, akasimuka, oenda kuMesopotamia kuguta raNahori. Akaita kuti ngamera dzake dzirare patsime raiva kunze kweguta, manheru, nguva inouya vakadzi kuzochera mvura. Akanamata achiti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu, vatenzi vangu, nzwirai tsitsi vatenzi vangu Abhurahamu, mundibatsire ndiwane zvandafambira. Onai ndimire pano patsime pachauya vanasikana vavanhu vomuguta rino kuzochera mvura. Zvino musikana wandinenge ndati nditekerewo mvura ndinwe, kana iye akapindura achiti, ‘Inwai zvenyu uye ndichapawo ngamera dzenyu mvura yokunwa,’ iyeyo ngaave musikana wamakasarudzira muranda wenyu Isaki. Ndizvo zvichandiratidza kuti maitira mwoyochena vatenzi vangu.” Asati ambopedza kutaura pakabva pasvika Ribheka mwanasikana waBhetueri. Bhetueri uyu akaberekwa naMirika, mudzimai waNahori munun'una waAbhurahamu. Ribheka akasvika akatakura chirongo chake papfudzi. Zvino musikana uyu aiva nechimiro chakanaka kwazvo, iri mhandara isina kumbosangana nomurume. Akapinda mutsime akazadza chirongo chake nemvura akabuda. Muranda uyu akamhanyira kwaari akati, “Regai ndingonyavawo pahuro nemvura yokunwa yomuchirongo chenyu.” Musikana akati, “Inwai zvenyu tenzi wangu.” Akakurumidza kutura chirongo chake pasi ndokumubatira achinwa. Kuzoti amupa mvura, musikana akati, “Chiregai zvenyu nditekerewo ngamera dzenyu mvura, dzinwe dzigute.” Akabva atora mvura yaiva muchirongo chake akaidururira mokuti dzinwire, ndokumhanyira kutsime kundocherera ngamera dzake dzose mvura yokunwa. Murume akatarisisa anyerere achida kuziva kuti chokwadi Tenzi anditungamirira kuwana zvandafambira here, kana kuti kwete. Kuzoti ngamera dzake dzanwa dzaguta muranda uyu akatora mhete yendarama yairema sechidimbu chapakati napakati cheshekeri, ndokushongedza Ribheka. Akamupawo makoza maviri endarama airema mashekeri gumi. Muranda akati, “Uri mwana waaniko? Ko tingawanawo here pokurara kumba kwababa venyu?” Iye akati, “Ndiri mwana waBhetueri akaberekwa naMirika, mudzimai waNahori.” Akatiwo, “Tine zvose zvakawanda, mashanga nezvokudya zvezvipfuwo uye pokurara paripo.” Murume uyu akapfugama akanamata Tenzi achiti, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari watenzi wangu Abhurahamu nokuti akaramba akatendeka, akaita zvaakatsidzira tenzi wangu. Kana ndirini, Tenzi anditungamirira akandisvitsa kumusha kwehama dzatenzi wangu.” Musikana uyu akabva amhanyira kumba kwamai vake, ndokundovaudza zvose. Ribheka aiva nehanzvadzi yake yainzi Rabhani. Rabhani akamhanyira kumurume uye, kutsime, nokuti akanga aona hanzvadzi yake iine mhete, namakoza mumaoko ayo, akanzwawo kutaura kwaiita Ribheka achiti, “Ndizvo zvandaudzwa nomurume iyeyo.” Ndopaakamhanyira kumurume uya, akamuwana amire patsime paya nengamera dzake. Rabhani akati, “Titambireika vanyakukomborerwa naTenzi! Ko manga muchadarirei kumirira kunze kunze kuno uku. Izvozvi tatokugadzirirai imba nepokutenhera ngamera.” Saka murume uyu akandopinda mumba. Rabhani akasunungura ngamera dziya, akamupa mashanga nezvokudya zvengamera. Akapawo murume uyu navaaiva navo mvura yokushamba tsoka. Vakamuperekera zvokudya, asi iye akati, “Handingadyi ndisati ndataura mashoko angu.” Rabhani akati, “Tipire zvako tinzwe.” Iye akati, “Ndiri muranda waAbhurahamu. Tenzi akakomborera vatenzi vangu kwazvo zvokuti vakapfuma zvikuru. Vane hwai, mombe, sirivha, ndarama, navaranda vechirume nevechikadzi nengamera namadhongi mazhinji. Sara, mudzimai wavatenzi vangu, kunyange akanga achembera zvake, akaberekera vatenzi vangu mwana mukomana. Ivo vatenzi wangu vakapa mwana wavo iyeyo zvinhu zvose zvavanazvo. Zvino vatenzi vangu vakandiitisa mhiko vachiti, ‘Usatsvakire mwana wangu mukadzi mukati mevanasikana verudzi rwevaKanani vane nyika yandigere. Asi enda kumusha kwababa vangu, kuhama dzangu undotsvakira mwana wangu mukadzi ikoko.’ Ndakati kuna vatenzi vangu. ‘Zvimwe mukadzi wacho acharamba kuuya neni.’ Ivo vatenzi vangu ndokuti, ‘Tenzi wandinogara ndichinamata muupenyu, achatuma mutumwa wake akuperekedze kuti zvaunofambira zvibudirire, undotorera mwana wangu mukadzi kuhama dzangu kumusha kwababa vangu. Kana wasvika kuhama dzangu, vakaramba kukupa mukadzi iyeyo, uchasunungurwa zvako pamhiko yangu.’ “Pandasvika patsime nhasi uno ndati, ‘Tenzi, Mwari wavatenzi vangu Abhurahamu, nditungamirireiwo ndigowana zvandafambira.’ Zvino zvandimire patsime pano, kana pakauya musikana kuzochera mvura ndikamuti, ‘Dondipawo mvura muchirongo chako ndinwe,’ kana iye akati, ‘Inwai zvenyu, ndichatekerawo ngamera dzenyu mvura yokunwa,’ iyeyo ngaave mukadzi akasarudzirwa mwana wavatenzi vangu naTenzi. Zvino ndisati ndapedza kunamata nechemumwoyo ndabva ndaona Ribheka achiuya akatakura chirongo pamapfudzi ake, ndokusvikopinda mutsime, ndokuchera mvura. Ini ndamuti, ‘Dondipawo mvura yokunwa.’ Pakarepo iye abva atura chirongo chake pamafudzi akati, ‘Inwai zvenyu, uye ndichapawo ngamera dzenyu mvura yokunwa.’ Ndanwa ndokubva iye apawo ngamera dzangu dzikanwa. Ipapo ndamubvunza ndichiti, ‘Ko nhai, uri mwana waaniko?’ Iye ati, ‘Ndiri mwana womwana waNahori, baba vangu ari Bhetueri aberekwa naMirika mudzimai waNahori.’ Ini ndabva ndaisa mhete pamhuno yake namakoza mumaoko ake. Ndapfugama ndikanamata Tenzi, ndikarumbidza Tenzi wavatenzi vangu Abhurahamu nokuti anditungamirira kuti ndinange kuhama yavatenzi vangu Abhurahamu kuti ndiwanire muroora wavatenzi vangu. Zvino kana imi muchida kuva vanhu vakatendeka vanoita zviri pachokwadi kuna vatenzi vangu ndiudzei. Asi kana musingadi, ndiudzeiwo zvangu ndione zvokuita.” Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vachiti, “Zvinhu izvi zvabva kuna Tenzi. Isu hapana chatingataure. Ribheka ndiyeyu ari pano mutore zvako uende naye, andova mudzimai womwanakomana wavatenzi vako sokutaura kwakaita Tenzi.” Muranda waAbhurahamu paakanzwa zvavakataura akapfugama pasi akanamata Tenzi. Muranda uyu akabva abudisa zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu dzokupa Ribheka. Akaburitsawo zvipo zvinokosha ndokupa amai vaRibheka nehanzvadzi yake Rabhani. Muranda uyu navarume vaakanga anavo vakadya, vakanwa, ndokurarapo usiku ihwohwo. Kuzoti vamuka mangwanani akati, “Chiregai ndichidzokera zvangu kuna vatenzi vangu.” Hanzvadzi yake naamai vake vakati, “Regai timboti garei nomusikana uyu nguva yakati kuti kana mazuva angaite gumi zvawo agoti oenda zvake.” Asi iye akati, “Dai machirega zvenyu kundinonotsa, onai Tenzi andipa zvandafambira. Chiregai zvenyu ndidzokere kuna vatenzi vangu.” Ivo vakati, “Regai tidaidze mhandara yacho tinzwe.” Vakadaidza Ribheka vakati kwaari, “Unoda kuenda nomurume uyu here?” Iye akati, “Hongu ndinoda.” Vakabvumidza Ribheka mwana wavo kuenda. Akaenda nomuranda wechikadzi nyakumurera. Vakaenda nomuranda waAbhurahamu pamwechete navanhu vake. Vakakomborera Ribheka vachiti, “Dai iwe mwana wedu ukava amai vamazana akazanirana avanhu! Zvizvarwa zvako ngazvikurire maguta avavengi vazvo.” Ribheka navasikana vake vaimushandira vakagadzirira zvokusumuka, vakatasva ngamera dzavo, vakaenda nomurume uye vachimutevera. Muranda uyu ndiko kutora kwaakaita Ribheka akabva aenda zvake. Ipapo Isaki akanga achangotama kuBheerirahairoi, ava kugara kuNegevhu. Ava manheru, Isaki akaenda musango achimbondoti avarairwe zvake achifunga. Akasumudza musoro akaona ngamera dzichiuya. Ribheka akati tarisei, paakaonawo Isaki akabva akurumidza kuburuka pangamera yake, ndokubvunza muranda uyu achiti, “Ko murume uyo ari kuuya nomusango umo kuzochingurana nesu ndiani?” Muranda akati, “Ndivatenzi vangu.” Ribheka akatora dhuku rake akazvifukidza kumeso. Muranda uyu akaudza Isaki zvose zvaakanga aita. Isaki akaunza Ribheka mutendhe rakanga riri raSara amai vake. Akatora Ribheka akava mukadzi wake. Isaki akamuda. Saka ndiko kunyaradzwa kwaakaitwa mushure mokufa kwaamai vake Sara. Abhurahamu akaroorazve mumwe mukadzi ainzi Ketura. Ketura akamuberekera Zimurani naJokishani naMedhani, naMidhiani naIshabhagi naShua. Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Zvizvarwa zvokwaDhedhani ndivo vaAshurimu navaRetushimu navaReumimu. Vanakomana vaMidhiani vaiva vanaEfa naEferi naHanoki naAbhidha naEridha. Ava vose vaiva vana vaKetura. Abhurahamu akapa Isaki zvose zvaakanga anazvo. Asi iye achiri mupenyu akapa zvipo vamwe vanakomana vake vaakabereka navamwe vakadzi, akavati vabve pana Isaki mwanakomana wake, vaende kunyika dziri kumabvazuva. Iri ndiro zera rakasvitswa naAbhurahamu, akagara panyika zana namakumi manomwe amakore ana makore mashanu. Abhurahamu akanyatsochembera zvake zvokugutsikanawo ndokubva azoenda zvake kwakaenda vamwe vokwake. Isaki naIshimaeri vanakomana vake vakamuviga mubako reMakipera panzvimbo yaiva yaEfuroni mwanakomana waZohari, muHiti nechokumabvazuva kweMamure. Ndiyo nzvimbo yakatengwa naAbhurahamu kuna Efuroni muHiti. Abhurahamu nomudzimai wake Sara ndipo pavakavigwa ipapo. Mushure mokufa kwaAbhurahamu, Mwari wakakomborera Isaki mwanakomana wake. Isaki akambogara pedyo neBheerirahairoi. Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaIshimaeri mwanakomana waAbhurahamu naHagari muIjipiti uya aiva muranda waSara. Haanoi mazita avanakomana vavaIshimaeri sokutevedzana kwavo: kwaiti dangwe ravo Nebhayoti tevere Kedhari naAdhibhieri naMibhusamu, kwouya Mishima naDhuma naMasa, kwoti Hadhadhi naTema naJeturi, kwozoti Nafishi naKedhima. Ivava ndivo vanakomana vaIshimaeri uyewo iwaya ndiwo mazita ematunhu avo nemisha yavo, vari vakuru vakuru gumi navaviri namamiriro akaita madzinza avo. Makore oupenyu hwaIshimaeri ndeaya, akagara zana namakumi matatu amakore ana makore manomwe zvoupenyu zvakazomuperera akafa ndokuzoenda zvake kwakaenda vamwe vokwake. Vezvizvarwa zvokwaIshimaeri vaigara munyika inobvira paHavhira ichindosvika kuShuru pakatarisana neIjipiti takananga kuAsiria. Asi vaigara kure nehama dzavo vasingawirirane nehama dzavo. Heinoi nhoroondo yemhuri yaIsaki mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaki. Isaki akanga ava namakore makumi mana panguva yaakaroora Ribheka mwanasikana waBhetueri worudzi rwavaAramu wokuPadhaniaramu, hanzvadzi yaRabhani muAramu. Isaki akanamata kuna Tenzi achikumbirira mudzimai wake Ribheka nokuti akanga asina mbereko. Tenzi akanzwa chichemo chake, ndokubva mudzimai wake Ribheka ava napamuviri. Zvino vana vaikikiridzana munhumbu make, ndokubva ati, “Kana zvichidai zvichandisvitsa kupiko?” Saka akaenda kundonzwa kuna Tenzi. Tenzi akamuti, “Munhumbu mako mune ndudzi mbiri dzavanhu. Uchasununguka ndudzi dzavanhu mbiri dzichagara dzakamukirana. Rumwe rwacho ruchange rune simba kupfuura rumwe. Mukoma achashandira munun'una.” Kuzoti nguva yokusununguka kwake yasvika akapona vana vaviri, mapatya. Wokutanga akabuda akatsvukuruka, muviri wake wose wakati mvere tsvete, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Esau. Ndokuzobudawo munun'una wake akabata chitsitsinho chaEsau, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaki akanga ava namakore makumi matanhatu paakabereka vana ivava. Vakomana ava vakakura, Esau akava hombarume yokuvhima, munhu wokugara musango; Jakobho ari munhu akanyarara aida zvake zvokugara pamba. Isaki aida Esau nokuti aimuvhimira nyama, asi Ribheka aida Jakobho. Rimwe zuva Jakobho akati achibika rupiza Esau ndokudzoka achibva musango aziya nenzara. Esau akati kuna Jakobho, “Dondipawo zvawabika zvakatsvukirira izvo ndidye nokuti ndaziya nenzara!” (Ndosaka akatumidzwa zita rokuti Edhomu). Jakobho akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako!” Esau ndokuti, “Ini ndava kufa nenzara kudai, ko udangwe hungandibatsirei?” Jakobho akati, “Tanga wapika izvozvo kwandiri nhasi uno. Naizvozvo Esau akapika akabva atengesera Jakobho udangwe hwake. Jakobho akapa Esau chingwa norupiza rwenyemba. Akadya akanwa akasumuka oenda zvake, nokudaro Esau akazvikanganisira udangwe hwake.” Zvino munyika imomo makaita nzara isati iri nzara iya yakamboitika pamazuva aAbhurahamu. Isaki akaenda kuGerari, kuna Abhimereki mambo wavaFirisitia. Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Usadzike kuIjipiti, asi gara munyika yandichakuudza. Chimbogara zvako munyika ino. Ini ndichava newe. Ndichakukomborera. Ndichakupa nyika idzi dzose iwe navana vako. Ndichaita zviya zvandakapika kuna Abhurahamu, baba vako. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika idzi dzose. Vana vako vachawanisawo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano makomborero, nokuti Abhurahamu aiteerera zvandaireva, aiita zvose zvandaimutemera kuita achitevedza zvirongwa zvangu, achichengetawo mirao yangu nokuteerera mitemo yangu.” Saizvozvo Isaki akagara kuGerari. Vanhu venyika iyoyo vakamubvunza nezvomukadzi wake, iye akati, “Ihanzvadzi yangu.” Izvozvo aitya kutaura kuti mudzimai wangu achiti zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraye pamusana paRibheka nokuti akanga aine chimiro chakanaka kwazvo. Kuzoti Isaki agarapo nguva ndefu, Abhimereki mambo wavaFirisitia akatarisa napahwindo akaona Isaki achibata-bata Ribheka mudzimai wake. Ipapo Abhimereki akadaidza Isaki akati, “Ko zvaari mukadzi wako wani! Wakagotaurirei kuti, ‘Ihanzvadzi yangu.’ ” Isaki ndokuti, “Ndaiti zvimwe ndingaurayiwe pamusana pake.” Abhimereki akati, “Zvino, ndochii ichochi chawakatiitira ipapa? Mumwe munhu aigona kunge akatadza nomudzimai wako iwe wotiparisa mhosva.” Naizvozvo Abhimereki akayambira vanhu vake vose achiti, “Kuwana ane chakaipa chaanoita kune murume uyu, kana mudzimai wake anofanira kuurayiwa.” Isaki akarima mbesa munyika iyoyo, gore iroro akakohwa mbesa dzakawanda kwazvo, Tenzi akamukomborera akava mupfumi. Akaramba achibudirira kudzamara ava noupfumi hwakawanda. Akanga ano upfumi hwemombe nezvimwe zvipfuwo navaranda vazhinji zvokuti vaFirisitia vakamuitira shanje. VaFirisitia vakafushira vakazadza namavhu matsime ose akanga acherwa navaranda vababa wavo Abhurahamu, akacherwa Abhurahamu achiri mupenyu. Abhimereki akataurira Isaki kuti, “Chibvai zvenyu medu muno nokuti mava nesimba kupinda isu.” Naizvozvo Isaki akatamapo akandodzika matendhe ake mubani reGerari, akamboita musha wake ipapo. Isaki akafukunura matsime emvura akanga acherwa pamazuva ababa wake Abhurahamu, nokuti Abhurahamu paakafa vaFirisitia vakabva vaafushira. Akaatumidzazve mazita aakanga akatumidzwa nababa wake. Varanda vaIsaki vakati vachichera mubani umu, vakawanawo tsime remvura yechitubu. Vafudzi vomuGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaki vachiti, “Mvura iyi ndeyedu.” Saka Isaki akatumidza tsime irori zita rokuti, “Nharo,” nokuti vakanga vaitirana nharo navo. Varanda vaIsaki vakacherazve rimwe tsime. Vakaitirana nharo zvakare navafudzi vomuGerari pamusoro paro, Isaki akaritumidza zita rokuti, “Ruvengo.” Isaki akazobvapo akandocherazve rimwe tsime. Ipapo havana kuzomboitirana nharo. Akabva aritumidza zita rokuti, “Ziendanakuenda,” vachiti, “Zvino Tenzi atipa nzvimbo huru kuti tigova vazhinji munyika ino.” Zvino Isaki akabvapo akatamira kuBheerishebha. Tenzi akazviratidza kwaari usiku ihwohwo akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu baba vako. Usatye zvako nokuti ndinewe. Ndichakukomborera ndichiita kuti vana vako vawande kwazvo pamusana paAbhurahamu muranda wangu.” Isaki akavaka atari ipapo akanamata Tenzi ndokubva adzika tendhe yake ipapo. Varanda vake vakacherapo tsime. Ipapo Abhimereki nejinda rake Ahuzati naPikori mukuru wehondo yake vakabva Gerari vakaenda kuna Isaki. Isaki akavati, “Mavingeiko kuno? Handiti munondivenga imi. Inga makandidzinga wani kwenyu!” Ivo ndokuti, “Tanyatsoona kuti Tenzi anewe. Saka tanga tafunga kuti dai paitwa chibvumirano pakati pedu newe, tiite chitenderano chokuti ugorega kutiitira zvakaipa. Sezvatakaita isu, hatina chatakakutadzira asi takakuitira zvakanaka tikazotiwo uende zvako zvakanaka. Nhasi iwe wava nechikomborero chaTenzi.” Isaki akavaitira mabiko vakadya vakanwa. Vakafumomuka vakaita chibvumirano. Isaki akavaperekedza ndokuenda zvavo norugare. Nomusi iwoyo varanda vaIsaki vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera. Vakati, “Tabata mvura.” Isaki akatumidza tsime iri zita rokuti, “Mhiko.” Naizvozvo zita reguta iroro rinonzi Bheerishebha kusvikira pari nhasi. Esau paakanga ava namakore makumi mana, akaroora vakadzi vechiHiti kwaiti Judhisi mwana waBheeri naBhasimati mwana waEroni. Vakadzi vacho vaifurusa Isaki naRibheka. Kuzoti Isaki ava harahwa, maziso ake ava kuonera madzerere asisaone akadaidza Esau dangwe rake akamuti, “Mwanangu!” Iye akati, “Ndiri pano baba!” Vakati, “Ini ndakwegura, handizivi zuva rokufa kwangu. Zvino chitora zvombo zvako zvokuvhimisa, zvinoti mukutu nemiseve yako uende musango kundondivhimira nyama. Ugondigadzirira chokudya chakanaka chomwoyo wangu chaicho, undiigire ndidye, ndigokukomborera ndisati ndafa.” Ribheka akanga akateerera Isaki achitaura naEsau mwanakomana wake. Esau paakaenda musango kundovhima, Ribheka akataurira Jakobho mwanakomana wake vachiti, “Ndanzwa baba vako vachitaura naEsau mukoma wako vachiti, ‘Ndiigire nyama yemhuka ugondigadzirira zvokudya zvakanaka, ndidye ndikupe chikomborero chaTenzi ndisati ndafa.’ Zvino, mwanangu chiteerera zvandava kukuudza. Enda kudanga undiigire mbudzana mbiri dzakakora ndibikire baba vako chokudya chakanaka chepamwoyo wavo chaicho. Ugoenda nazvo kuna baba vako, vadye vakukomborere vasati vafa.” Jakobho akapindura amai vake Ribheka achiti, “Mukoma wangu Esau, munhu ane mvere muviri wose, asi ini handina mvere. Zvimwe baba vachabata muviri wangu vakazviziva kuti ndiri kuvanyengedza vakazoti rushambwa rundiwire ini ndanga ndichiti ndikomborerwe.” Asi amai vake vakati, “Mwanangu rushambwa rwacho ngaruwire inini. Chako iwe kuteerera zvandiri kureva, uende undodzitora uuye nadzo kwandiri.” Jakobho akaenda akandodzibata, akauya nadzo kuna amai vake. Amai vake vakabikira baba vake chokudya chakanaka chapamwoyo pavo chaicho. Ribheka akatora hanzu dzakaisvonaka dzaEsau mwanakomana wake mukuru dzaaiva nadzo mumba, akadzipfekedza Jakobho munun'una wake. Akapfekedza Jakobho matehwe embudzana dziye mumaoko nomumutsipa make makanga musina mvere. Ribheka akatora zvokudya zvakanaka nechingwa zvaakanga abika, akapa Jakobho. Jakobho akaenda kuna baba vake akati, “Baba!” Ivo vakati, “Mwanangu! Ko ndiwe aniko mwanangu?” Jakobho ndokuti, “Ndini dangwe renyu Esau ndaita zvamandiudza. Mukai zvenyu muite zvokugara mudye nyama yemhuka yandauya nayo, mundikomborere.” Isaki akati, “Wakurumidza nei kuiwana mwanangu?” Jakobho ndokuti, “Ndaiwaniswa naTenzi, Mwari wenyu.” Isaki akataurira Jakobho achiti, “Chimboswedera kuno mwanangu, ndibate muviri wako ndinzwe kana uriwe mwana wangu Esau zvechokwadi kana kuti kwete.” Jakobho akaswedera pana baba vake Isaki. Ivo vakabata muviri wake vakati, “Izwi nderaJakobho asi maoko ndeaEsau.” Isaki haana kuziva kuti ndiJakobho nokuti maoko ake akanga ava nemvere, sezvakanga zvakaita maoko omukoma wake Esau, akamukomborera. Akati, “Saka ndiwe here mwana wangu Esau?” Akati, “Ndini.” Isaki akati, “Chindipa nyama yemhuka yawabaya, ndidye ndikukomborere.” Jakobho akavapa vakadya, akavapawo waini vakanwira zvavo. Baba vake Isaki vakamuti, “Chiswedera kuno unditsvode mwanangu.” Akaswedera akavatsvoda. Isaki akanzwa kunhuwirira kwehanzu dzake akamupa chikomborero achiti, “Kunhuwirira kwemwana wangu kwakaita sokunhuwirira kwesango rakakomborerwa naTenzi. Mwari ngaakuunzire dova rokudenga, ngaanyatsokurisa zvirimwa zvako, akupe mbesanwa dzakawanda newaini. Ndudzi dzose ngadzikushandire, marudzi ose avanhu akugwadamire uve mutongi wehama dzako, vana vaamai vako vakuombere. Vanenge vati uwirwe norushambwa, rushambwa ngaruwire ivo, vakomborerwewo vanoti iwe ukomborerwe.” Zvakaitika kuti Isaki achangopedza kukomborera Jakobho, iye Jakobho achangoti ibvei pana baba vake, Esau mukoma wake ndokubva atiwo vhu kusvikawo achibva kundovhima. Akabikawo zvokudya zvinonaka, akaenda nazvo kuna baba vake akasvikoti, “Baba, mukai muite zvokugara, mudye nyama yemhuka yandauya nayo, mugondikomborera.” Baba vake, Isaki ndokumuti, “Ndiwe ani?” Akati, “Ndini Esau mwana wenyu wedangwe.” Isaki akadedera zvikuru akati, “Ko ndianiko ambondivhimira nyama akauya nayo kwandiri ndikaidya yose usati wauya, ndikamupa chikomborero? Iyeyo ndiye atokomborerwa.” Esau akati achinzwa zvaitaurwa nababa vake, akazhamba kuchema achishungurudzika achiti, “Baba neniwo ndikomborereiwo.” Asi ivo vakati, “munun'una wako andinyengedza akabva atora chikomborero chako.” Esau akati, “Handiti vakagona vakamutumidza zita rokuti Jakobho nokuti anditorera nzvimbo yangu ruviri rwese. Akanditorera udangwe hwangu, zvino hoyo watora chikomborero changu.” Akatizve, “Ko hamuna kundisiyirawo here chimwe chikomborero?” Isaki ndokupindura Esau achiti, “Chitarisa uoneka, ndamuita kuti ave mutongi wako. Hama dzake dzose ndadziita kuti dzive varanda vake, ndikamupawo chikomborero chembesanwa newaini. Zvino chii chasara ipapa chandingakuitirewo mwanangu.” Esau ndokupindura baba vake achiti, “Nhai baba, ko munongova nechikomborero chimwechete chete here? Baba neniwo ndipeiwo chikomborero!” Esau akabva achema zvinosiririsa. Baba vake Isaki ndokuti, “Musha wako uchava kure noupfumi hwenyika, uri kure kure nedova rinobva kumusoro kudenga. Zvokubatirana mapfumo navamwe vako, ndohuchagara huri upenyu hwako. Uchava muranda womunun'una wako. Asi paanongokuti tupfunu chete uchatyora joko rake pamutsipa wako.” Esau akavenga Jakobho pamusana pechikomborero chaakanga apiwa nababa vake. Asi nechomumwoyo Esau akati, “Mazuva okufa kwababa vangu ava pedyo, tikapedza kuvachema ndichauraya munun'una wangu Jakobho.” Ribheka paakanzwa zvairongwa naEsau mwanakomana wake mukuru akadaidza Jakobho mwanakomana wake muduku akati kwaari, “Chionaka iwe, mukoma wako Esau ari kuronga zvokukuuraya achitsividza. Saka mwanangu chinzwa zvandinokuudza. Chisimuka pano uende kuHarani kuhanzvadzi yangu Rabhani. Ugare ikoko mazuva akati kuti, kusvikira hasha dzomukoma wako dzaserera, kudzamara mukoma wako asisiri kukushatirirwa, akanganwa zvawakamuitira. Ndipo pandichazotumira munhu kuzokutora ikoko. Handidi ini kurasikirwa navanhu vaviri pamusi mumwechete.” Ribheka akati kuna Isaki, “Vakadzi vechiHiti vandakaroorerwa naEsau vandipfuvisa. Kana Jakobhowo akaroora mukadzi wechiHiti savava ava kuvanasikana vomunyika muno zviri nani zvangu kuti ndife.” Isaki akadaidza Jakobho akamukomborera ndokumuyambira achiti, “Usaroore mukadzi wechiKanani. Sumuka uende kuMesopotamia kumusha kwaBhetueri, baba vaamai vako undotsvaka musikana mumhuri yaRabhani, hanzvadzi yaamai vako uroore. Iye Aripagomo ngaakukomborere akupe vana vazhinji, vawande zvokuti vave madzinza namadzinza avanhu. Ngaakupe chikomborero chaAbhurahamu, iwe nezvizvarwa zvako chokuti uve muridzi wenyika ino yatiri kumboti apa garei tame apa garei yakapiwa Abhurahamu naMwari!” Naizvozvo Isaki akaendesa Jakobho kuMesopotamia kuhanzvadzi yaRibheka, amai vaJakobho naEsau, kwaRabhani mwanakomana waBhetueri muAramu. Esau akazvinzwa kuti Isaki akakomborera Jakobho, akamuendesa kuMesopotamia kundoroora mukadzi ikoko. Akanzwawo kuti paakamukomborera akamuti, “Usaroore mukadzi wechiKanani.” Akazvizivawo kuti Jakobho akanga ateerera baba naamai vake akaenda kuMesopotamia. Ipapo Esau akazviziva kuti baba vake Isaki havadi vakadzi vechiKanani, akabva aenda kuna Ishimaeri mwanakomana waAbhurahamu, akandoroora Maharati mwana waIshimaeri, hanzvadzi yaNebhayoti achiwedzera pavakadzi vaakanga anavo. Jakobho akapinda murwendo rwake rwokuenda kuHarani achibva kuBheerishebha. Akadokerwa nezuva ave pane imwe nzvimbo akararapo. Ava kurara akatora rimwe ibwe repo akariita mutsago ndokukotsira zvake. Akarota achiona manera akanga akamiswa panyika achisvika kudenga, vatumwa vaMwari vachiashandisa kukwira kudenga nokuburuka pasi. Akaonawo Tenzi amire kumusoro kwamanera acho achiti, “Ndini Tenzi, Mwari waAbhurahamu vasekuru vako naMwari waIsaki. Nyika iyoyi yaurere, ndichaipa kwauri navana vako. Vana vako vachawanda seguruva renyika, muchatekeshera kumadokero nokumabvazuva nokuchamhembe nokumaodzanyemba. Pamusana pako iwe navana vako, mhuri dzapasi pose dzichawaniswa makomborero. Chinzwa, ndichava newe ndichikuchengeta kwose kwaunenge uri. Ndichakudzosera kunyika ino nokuti handizombosiyana newe kusvikira ndaita zvandakuudza izvi.” Jakobho akapepuka muhope akati, “Zvechokwadi Tenzi ari panzvimbo ino asi ini ndanga ndisingazvizivi.” Akabva atya ndokuti, “Inga nzvimbo ino inoera! Imba yaMwari chete, iwoyu ndomusuo wedenga.” Jakobho akafumomuka, akatora ibwe raakanga akatsamira ndokurimisa kuti rive ibwe rechiyeuchidzo, ndokubva adira mafuta pamusoro paro. Akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Bhetieri, asi kare guta iroro raimbonzi Ruzi. Jakobho ndokupika nemhiko achiti, “Kana Mwari akava neni akandichengeta parwendo rwangu rwandiri kuenda achindipa chokudya nechokupfeka, ndichizodzokerazve kumusha kwababa vangu zvakanaka, Tenzi achava Mwari wangu. Paibwe iri randamisa pano kuti rive ibwe rechiyeuchidzo pachava imba yaMwari. Pazvinhu zvose zvamuchandipa ndichabvisa chegumi chazvo ndichikupai.” Jakobho akabvapo osumudzira rwendo rwake rwokuenda kunyika yavanhu vokumabvazuva. Akatarisa akaona tsime musango ndiye onei matanga matatu ehwai dzakanga dzirerepo zvadzo, ndopavainwisa zvipfuwo zvavo mvura. Pamuromo wetsime racho pakanga pane ibwe guru kwazvo. Vafudzi vaiti kana zvipfuwo zvavapo zvose, vaikungurutsa ibwe riya pamuromo wetsime, vopa hwai dzavo mvura yokunwa, vozodzosera ibwe riya pakare pamuromo wetsime. Jakobho akabvunza vafudzi kuti, “Ko, munobva kupiko nhai hama dzangu?” Vakati, “Tinobva kuHarani.” Jakobho ndokuti, “Ko munozivawo here Rabhani mwana wokwaNahori?” Ivo vakati, “Tinomuziva.” Akati kwavari, “Akadii zvake?” Ivo vakati, “Aripo zvake! Mwanasikana wake, Rakeri ndiye uyo ari kuuya nehwai uyo!” Jakobho akati, “Ko zvaachiri masikati wani! Inga nguva yokukokorodza nokuunganidza zvipfuwo haisati yakwana! Ko madii kupa hwai mvura maenda nadzo kumbondodzifudzazve?” Vafudzi vakati, “Hatingadzipe mvura kunze kwokunge mamwe matanga ose aungana, ibwe rapamuromo wetsime rakungurutswa. Ndopatinopa hwai dzedu mvura yokunwa.” Achingunotaura kudaro navarume vaye, Rakeri akasvika nehwai dzababa vake nokuti ndiye aiva mufudzi wadzo. Jakobho akati achiona Rakeri mwana waRabhani, hanzvadzi yaamai vake, nehwai dzaRabhani sekuru vake, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, ndokupa hwai dzasekuru vake mvura yokunwa. Jakobho akatsvoda Rakeri achikwazisana naye, akaburitsa misodzi yokufara. Akataurira Rakeri kuti, “Ini ndiri muzukuru wababa wako. Ndiri mwana waRibheka.” Rakeri ndokubva amhanyira kundoudza baba vake. Rabhani paakanzwa nezvaJakobho mwana wehanzvadzi yake akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akamutsvoda ndokuenda naye kumba kwake. Jakobho akarondedzera Rabhani zvinhu izvozvi zvose. Rabhani ndokuti, “Iwe uri hama yangu chaiyo! Tiri veropa rimwe chete!” Jakobho akagara nasekuru wake mwedzi wose. Rabhani akazoti kuna Jakobho, “Kunyange zvazvo uri hama yangu, ndopaungandishandire here pasina chaunowana? Chindiudza kuti ndokupawo pakadii.” Zvino Rabhani aiva navanasikana vake vaviri, mukuru ainzi Rea, muduku achinzi Rakeri. Rea aiva akatsvetsvereka maziso, asi Rakeri aiva tsvarakadenga yomusikana kunaka aino uso hunoyevedza. Jakobho aida Rakeri saka akati, “Ndichagara makore manomwe ndichiitira Rakeri mwanasikana wenyu muduku ugariri.” Rabhani ndokuti, “Zviri nani kuti ndimupe zvangu kwauri pane kumupa kune mumwewo murume.” Saka Jakobho akashanda makore manomwe achiitira Rakeri ugariri. Pamusana pokuti aimuda, Jakobho akaona makore acho semazuva mashomanana. Jakobho akazoti kuna Rabhani, “Chindipaiwo mukadzi wangu ndichipinda naye mumba nokuti mazuva atakatarirana akwana.” Rabhani akaita mabiko ndokukoka vanhu vomunharaunda iyoyo. Akati ava manheru, Rabhani akaenda naRea akandomupereka kuna Jakobho akabva azivana naye. Rabhani akapa muranda wake wechikadzi ainzi Ziripa kuna Rea kuti ave muranda wake. Kuzoti kwaedza, Jakobho akatarisa akaona kuti ndiRea. Jakobho akati kuna Rabhani, “Ko ndicho chiiko ichochi chamandiitira? Handiti Rakeri ndiye wandakaitira ugariri? Zvino mandinyengedzerei kudai?” Rabhani ndokuti, “Kuno kwedu hazviitwe kuti muduku aroorwe dangwe richigere. Chimbopedza zvako vhiki remabiko uina Rea, tigozoti tokupa Rakeri. Asi ndokunge wabvuma zvokumushandira mamwe makore manomwe.” Jakobho akabvuma akapedza svondo iroro naRea, Rabhani akazomupawo Rakeri kuti ave mudzimai wake. Rabhani akatora muranda wake wechikadzi ainzi Bhiriha akapa kuna Rakeri kuti ave muranda wake. Jakobho akazivanawo naRakeri. Zvakanga zviripo chaizvo ndezvokuti aida Rakeri kupinda Rea ndokusaka akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe zvakare. Tenzi akaona kuti Rea aivengwa ndokubva amupa mbereko, asi Rakeri akanga asina mbereko. Rea akava napamuviri akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Rubheni achiti, “Tenzi aonawo nhamo yangu! Zvino murume wangu achandidawo kwazvo!” Rea akavazve napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Tenzi anzwa kuti ndinovengwa saka andipazve mwana mukomana uyu.” Akamutumidza zita rokuti Simeoni. Rea akava napamuviri zvakare akabereka mwana mukomana akati, “Rwendo runo murume wangu achandida nokuti ndamuberekera vana vakomana ava vatatu.” Saka vakamutumidza zita rokuti Revhi. Rea akavazve napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Zvino ndochirumbidza Tenzi.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ndokubva amira kubereka. Rakeri paakaona kuti haasi kuberekera Jakobho vana, akaitira mukoma wake shanje. Akanyunyutira Jakobho achiti, “Ndipeiwo mwana. Kana ukasandipa zviri nani kuti ndife zvangu!” Jakobho akashatirirwa Rakeri akati, “Ko ndini ndava kutora nzvimbo yaMwari here akaita kuti ushaye mbereko?” Rakeri akati, “Hoyuka Bhiriha muranda wangu pindai naye mumba zvako, andiberekere vana, ndiumbewo mhuri.” Saizvozvo Rakeri akapa Jakobho muranda wake wechikadzi, Bhiriha kuti ave mukadzi wake Jakobho akapinda naye mumba. Bhiriha akava napamuviri ndokuberekera Jakobho mwana mukomana. Rakeri akati, “Mwari andiitira ruenzaniso, anzwa chichemo changu akandipawo mwana mukomana.” Naizvozvo akamutumidza zita rokuti Dhani. Bhiriha muranda waRakeri akavazve napamuviri ndokuberekera Jakobho mwana mukomana wechipiri. Ipapo Rakeri akati, “Ndakwikwidzana nomukoma wangu, ndikakunda.” Akabva amutumidza zita rokuti Nafutari. Rea paakaona kuti amira kubereka akapa Jakobho muranda wake Ziripa kuti ave mukadzi wake. Ziripa, muranda waRea akaberekera Jakobho mwana mukomana. Rea akati, “Makorokoto! Ndaita rombo rakanaka!” Akamutumidza zita rokuti Gadhi. Ziripa, muranda waRea akaberekera Jakobho mwana mukomana wechipiri. Rea akati, “Aiwa ndazofara kwazvo! Pamusana peizvi vakadzi vachanditi, ‘Zvako mai wakakomborerwa.’ ” Naizvozvo akamutumidza zita rokuti Asheru. Rimwe zuva panguva yokukohwa koroni, Rubheni akandotanha michero musango akauya nayo kuna amai vake Rea. Rakeri vakati kuna Rea, “Dondipaiwo michero yomwana wako.” Rea akati, “Heya, zvawakanditorera murume wangu hazvina kukugutsa nhai! Zvino wodazve kunditorera michero yomwana wangu!” Rakeri akati, “Kana ukandipa michero yomwana wako ungatorane zvako nomurume kwousiku hwanhasi.” Ava manheru, Jakobho paakauya achibva kumafuro, Rea akandomutambira akati, “Nhasi unofanira kuuya kumba kwangu nokuti ndakubvisira muripo wemichero yomwana wangu.” Jakobho akabva andorara kwaRea usiku ihwohwo. Mwari akanzwa chichemo chaRea akabva abata pamuviri ndokubereka mwana mukomana wechishanu. Rea akati, “Mwari andipa mubayiro wangu nokuti ndakapa murume wangu muranda wangu.” Nezvo akamutumidza zita rokuti Isakari. Rea akava napamuviri zvakare akabereka mwana mukomana wechitanhatu. Rea akati, “Mwari andipa chipo chakanaka. Rwendo runo murume wangu ndiye ava kuzogara neni zvino, nokuti ndamuberekera majaya matanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni. Rea akazobereka mwana musikana akamutumidza zita rokuti Dhina. Mwari akarangarirawo Rakeri. Mwari akanzwa munamato wake ndokubva amupawo mbereko. Rakeri akava napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Mwari abvisa kuzvidzwa kwangu.” Akamutumidza zita rokuti Josefi achiti, “Dai Tenzi akandipazve mumwe mwana mukomana!” Rakeri paakabereka Josefi, Jakobho akati kuna Rabhani, “Chiregai ndichidzokera kumusha kwangu, kunyika kwangu. Saka chindipai zvenyu madzimai angu andakaitira ugariri, navana vangu, ndiende nokuti imi munoziva kushanda kwandakakuitirai.” Asi Rabhani akamuti, “Ndapota zvangu, dai wagara. Ndakanyatsoongorora ndikaona kuti, Tenzi akandikomborera pamusana pako. Reva zvako mubayiro waunoda kuti ndipote ndichikupa.” Jakobho akati, “Imi munoziva kukushandirai kwandakaita, munozivawo machengetero andakaita zvipfuwo zvenyu. Pandakasvika pano maiva nezvipfuwo zvishomanana, zvikazowanda kwazvo. Tenzi akakukomborerai pose pandaibata. Ko munoti mhuri yangu ndichazoishandirawo rini?” Rabhani ndokuti, “Zvino chii chandingakupe?” Jakobho akati, “Regai zvenyu kundipa chinhu. Kana mabvuma zvandinokukumbirai, ndiregei zvenyu ndichifudza zvipfuwo zvenyu. Ini ndichacherechedza zvipfuwo zvenyu nhasi, ndichitsaura hwai nehwayana dzina mavara mavara nedzina makamba makamba nenhema. Ndichatsaurawo mbudzi dzose dzina makamba makamba nedzina mavara mavara. Zvipfuwo izvozvo ndizvo zvingave mubayiro wangu. Pamunouya kuzoongorora mubayiro wangu muchazoziva kuti ndiri munhu akadii pakutendeka. Kana mukawana ndiine mbudzi zvayo isina mavara mavara kana makamba makamba zvawo, kunyange hwai isiri nhema munobva maziva kuti ndakukorovherai.” Rabhani akati, “Zvakanaka, ngatiite zvawareva.” Musi iwoyo, Rabhani akatsaura mbudzana nezvikotora nenhunzvi dzose dzembudzi dzakanga dzina mavara mavara nedzaiva namakamba makamba neyose zvayo yaiva nevara jena, akatsaurawo hwayana nhema dzose akapa vana vake kuti vadzichengete. Rabhani akati vana vake vabve pana Jakobho vaende kunzvimbo yerwendo rwamazuva matatu. Jakobho akasara achifudza zvipfuwo zvaRabhani zvakanga zvasara. Jakobho akatora tumapango tunyoro twomupopura nomuarimondi nomupureni, akakwatura makanda acho achiti apa kwaturei apa siyei apa kwaturei apa siyei, tuchisara twava nemitsetse mitsetse mitema nemichena. Akaisa tumapango twacho pedyo nemidziyo madzainwira mvura, patwaionekwa nezvipfuwo pazvaiuya kuzonwa mvura nokuti zvaiti zvikasvikapo, mikono yotandana nehadzi dzichibva dzaita mazamu. Zvino iyoyo yakanga iri nguva yokutandana kwezvipfuwo, saka zvipfuwo zvakaita mazamu zvichitarisa tumapango twuya zvakabereka vana vane mitsetse mitsetse, navana mavara mavara navana makamba makamba. Jakobho akatsaura hwayana, zvipfuwo zvose zvakasara akazviisa pazvo zvoga zvakatarisana nezvipfuwo zvaRabhani zvaiva nemitsetse mitsetse nezvakanga zviri zvitema. Ndokutanga kwakaita Jakobho kuita matanga ezvipfuwo zvavo pachavo vasisasanganise nedanga rezvipfuwo zvaRabhani. Kwaiti kana zvipfuwo zvakasimba zvabindura, Jakobho aitora tumapango tuya otuisa, pedyo nemidziyo yokunwira mvura iya, patwaionekwa nezvipfuwo kuti zviite zamu pakatarisana notumapango tuya. Asi kana zvipfuwo zvacho zvainge zviri ndonda, akanga asingatandarike tumapango twacho. Saka zvipfuwo zvakanga zvakaondoroka zvaiva zvaRabhani, asi zvakasimba zviri zvaJakobho. Naizvozvo Jakobho akava mupfumi, akava nezvipfuwo zvizhinji navaranda vechirume nevechikadzi nengamera namadhongi. Jakobho akanzwa vanakomana vaRabhani vachiti, “Jakobho akatora zvinhu zvose zvakanga zviri zvababa vedu. Upfumi hwose uhwu akahuwana pazvinhu zvaiva zvababa vedu.” Jakobho akaonawo muuso kuti Rabhani akanga asisamufarire sapakutanga. Tenzi akataurira Jakobho kuti, “Chidzokera kunyika yamadzibaba ako, kunyika yokwako. Ini ndichava newe.” Jakobho akatuma munhu kundodaidza Rakeri naRea kuti vauye kumafuro kwaiva nezvipfuwo zvake. Akavati, “Ndava kuona muuso hwababa venyu kuti havachandifarira sapakutanga. Asi Mwari wababa vangu anga achingova neni. Munozviziva kuti ini ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose, kunyange zvakadaro ivo vakandinyengedza. Vakaramba vachisandura mubayiro wangu kagumi kagumi. Asi Mwari haana kuvabvumidza kuti vasvike pokunditsvata nokuti baba venyu pavaiti, ‘Zvipfuwo zvine makamba makamba zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vane makamba makamba. Pavaizotiwo, ‘Zvine mitsetse mitsetse ndizvo zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vaiva nemitsetse mitsetse. Nokudaro Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo achindipa. “Nguva iya yokunge mikono yezvipfuwo yava kutanda hadzi, ndakarota ndichiona kuti mikono yazvo yakanga ichitanda hadzi yaiva ine mitsetse mitsetse namavara mavara namakamba makamba. Mukurota ikoko mutumwa waMwari akanditi, ‘Jakobho!’ Ini ndikati, ‘Ndiri pano!’ Iye akati, ‘Tarisa uone mikono yose yezvipfuwo iri kutanda hadzi ine mitsetse mitsetse namakamba makamba namavara mavara. Chikonzero ndechokuti ndakaona zvose zvauri kuitirwa naRabhani. Ndini Mwari wokuBhetieri kuya kwawakadira ibwe mafuta, ukaita mhiko kwandiri. Saka chirongedza ubve munyika ino udzokere kunyika yawakaberekerwa.’ ” Rakeri naRea vakati, “Ko munoti tichine cheduwo here pamusha wababa vedu kunyange nhaka zvayo? Tangova vatorwa isu. Handiti vakatitengesa here vakadya mari yose yatakaroorwa nayo. Upfumi ihwohu hwakatorerwa baba vedu naMwari ndochedu chatakatoburawo isu navana vedu. Saka chiitai zvenyu chiri chose chamakaudzwa naMwari.” Jakobho akarongedza, ndokukwidza vana vake namadzimai avo panghamera. Akatorawo upfumi hwake hwose. Vakatinha zvipfuwo zvavo zvose zvavakanga vawana kuMesopotamia, vakaenda nazvo kunyika yeKanani, kuna baba vavo Isaki. Rabhani akanga aenda kundoveura makushe ehwai dzake, Rakeri sarei oba tumwari twokuveza twababa vake Rabhani. Jakobho akanyengedza Rabhani muAramu, nokurega kumuudza kwaakaita kuti akanga afunga zvokuenda. Nokudaro akatiza nezvose zvaakanga anazvo akayambuka rwizi rwaYufuratesi, akafamba akananga kunyika yeGireadhi yamakomo. Kuzoti kwapera mazuva matatu, Rabhani akaudzwa kuti Jakobho akatiza. Rabhani akatorana nehama dzake akamuronda kwerwendo rwamazuva manomwe, akamubatira kumakomo eGireadhi. Kuzoti hwave usiku, Mwari akauya mukurota kuna Rabhani muAramu akamuyambira achiti, “Usambotaura zvako kana chii zvacho chakaipa kuna Jakobho.” Rabhani akasvika paiva naJakobho akanga adzika matendhe ake mumakomo. Rabhani nehama dzake akadzikawo matendhe ake mumakomo eGireadhi. Rabhani akati kuna Jakobho, “Ndicho chii ichochi chawandiitira, kundinyengedza kudai, uchitutana navabvana vangu senhapwa dzokubatira mapfumo? Sei waita zvokusvova uchindinyengedza kudai, usinganditaurire? Ko unoti ndingadai ndisina kukuitirawo mabiko takafara tichipembera, tichiimba zvedu tichiridza ngoma nezvipendani? Ungabva watorega nokundiwanisa kana mukana wokuti nditsvode vazukuru vangu navabvana vangu ndichionekana navo? Zvawaita izvi ndezvoupenzi. Izvozvi ndinogona zvangu kukuita chimwe chinhu, dai pasina Mwari wababa vako ataura neni usiku hwanhasi achiti, ‘Usambotaura zvako kana chii zvacho chakaipa kuna Jakobho.’ Ko zvawakatiza pamusana pokuda kudzokera kumusha kwababa wako, wakagobireiko vamwari vangu?” Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndaitya kuti zvimwe mungandibvutire vanasikana venyu. Kana mukawana paine munhu ane vamwari venyu ngaaurayiwe. Zvino, hama dzenyu dzichizviona kudai, nyatsotsvakai chenyu chandinacho, mutore.” Asi Jakobho akanga asingazive kuti Rakeri ndiye akanga aba vamwari ivavo. Rabhani akatsvaka mutendhe raJakobho nomutendhe raRea nomutendhe ravaranda vechikadzi vaviri vaya, asi haana chaakawana. Akabuda mutendhe raRea akandotsvaka mutendhe raRakeri. Rakeri akanga atora vamwari vacho akavaviga muchityaro chengamera ndokubva agara pamusoro pacho. Rabhani akaparapatika kutsvaga pose pose mutendhe umu, asi hapana chaakawana. Rakeri ndokutaurira baba vake achiti, “Musanditsamwire zvenyu shewe. Ini handisi kukwanisa kukusumukirai nokuti ndiri panguva yangu yokutevera.” Rabhani akatsvakisisa asi haana kuwana vamwari vake. Jakobho akabva atsamwa kwazvo akapopotera Rabhani achiti, “Ko chandakakutadzirai chii? Ko chakaipa chandakaita ndechipi, zvamanditevera muchitoita zvokuvhima kudai? Zvamaparapatika mukagwedebudza mikwende yangu yose, zvino chenyu chamawana ndechipi? Tiratidzei pano apa, hama dzedu nemi dzichionewo, dzititonganise. Ndakagara nemi makumi maviri amakore, hwai nembudzi dzenyu hadzina kumbosvodza. Handina kubaya hondohwe dzamatanga enyu ndichidya. Zvipfuwo zvainge zvarumwa nezvikara handaikuudzai imi, asi ndaizvitsiva nezvangu pachangu. Zvipfuwo zvainge zvabiwa masikati kana usiku maindiripisa. Masikati ndaitsva nezuva, usiku ndichidedera nechando ndichirara ndakasvunura. Kwamakore makumi maviri aya, ndakagara mumusha menyu. Ndakakushandirai kwamakore gumi namana ndichiitira vana venyu vaviri ava ugariri. Kwamakore matanhatu ndakachengeta zvipfuwo zvenyu kuti ndiwanewo ufudzi, asi mairamba muchisandura mubayiro wangu kagumi kagumi. Dai Mwari wababa wangu, Mwari waAbhurahamu, Mwari anonamatwa naIsaki akanga asineni, chokwadi chokwadi mungadai makandirega ndichienda zvangu ndisina nechii chose. Mwari akaona kutambura kwangu nokushanda kwandakaita, saka akuyambirai usiku hwanhasi.” Rabhani akapindura Jakobho achiti, “Vabvana ava vana vangu ini, vana ava vazukuru vangu, zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu. Zvose zvazvo zvauri kuona ndezvangu. Ko zvino chii chandingaonekwe ndoita nhasi uno kuvabvana vangu kana kuvana vavo vokubereka. Iwe neni ngatichiitai chitenderano, tigoitawo chinhu chichagara chichitiyeuchidza zvatatenderana.” Jakobho akatora ibwe akarimisa kuti rive ibwe rechiyeuchidzo. Iye Jakobho akaudzawo vanhu vake kuti, “Unganidzai mabwe.” Vakaunganidza mabwe akaita murwi. Vakadyira pamurwi ipapo. Rabhani akautumidza zita rokuti Jegarisahudhuta. Asi Jakobho akautumidza zita rokuti Gareedhi. Rabhani akati, “Nhasi uno murwi uyu wava chiyeuchidzo pakati pedu.” Saka vakatumidza murwi iwoyo zita rokuti Gareedhi. Rimwe zita rawo rakanzi Mizipa nokuti Rabhani akati, “Zvako iwe neni ngatichizvisiya mumaoko aTenzi, patinenge takati uyu kwake uyu kwake Mwari ndiye anenge achiona. “Kana ukazoshusha vabvana vangu kana kuroora vamwe vakadzi, kunyange vamwe vose vakasazviona, Mwari ndiye chapupu chedu.” Rabhani akatizve, “Tarisa chitata chemurwi wamatombo ichi, neibwe iri randamisa pakati pangu newe. Murwi wamatombo uyu neibwe iri ndiyo micherechedzo ichatipupurira kuti ini handizoidarika ndichiuya kuzokurwisa, newewo hauzodarikawo murwi wamatombo iwoyu neibwe irori uchiuya kuzondirwisa. Mwari waAbhurahamu naMwari waNahori naMwari wababa wavo ngavave ivo vatongi pakati pangu newe.” Jakobho ndokupika naMwari anonamatwa nababa vake Isaki. Jakobho akapira chibayiro kuna Mwari mugomo muya, akadaidza hama dzake kuzodya mabiko. Vakadya vakapedza usiku hwose vari mugomo imomo. Rabhani akafumomuka ndokutsvoda vazukuru vake navabvana vake vachionekana navo, akavakomborera ndokusimuka odzokera kumusha kwake. Jakobho akasimudzirawo rwendo rwake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye. Jakobho paakavaona akati, “Inga ihondo yaMwari chaiyo!” Saka nzvimbo iyoyo akaitumidza zita rokuti Mahanaimu. Jakobho akafanotuma nhume kuna Esau mukoma wake aigara kuSeiri munyika yeEdhomu. Akadzirayira achiti, “Endai kuna changamire wangu Esau mumutaurire kuti, ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndanga ndiri kwaRabhani kwandanga ndigere kusvikira iye zvino. Ndava nemombe namadhongi nehwai nembudzi, navaranda vechikadzi nevechirume. Zvino ndatuma nhume kunemi changamire wangu kuti mundiitire tsiye nyoro.’ ” Nhume idzi padzakadzokera kuna Jakobho dzakamutaurira kuti, “Takasvika kune mukoma wenyu, Esau. Zvino naiyewo ava munzira namazana mana avarume kuzosangana nemi.” Jakobho akabva atya akatambudzika mumwoyo zvikuru, akakamura vanhu vavaiva navo nezvipfuwo nemombe nengamera ndokuita mapoka maviri, achifunga kuti kana Esau akauya kune rimwe boka akariparadza, rimwe iri rinogona kutiza. Jakobho ndokuti, “Mwari wavasekuru vangu Abhurahamu, imi Mwari wababa vangu Isaki imi Tenzi ndimi makanditi, ‘Chidzokera zvako kunyika yako, kune hama dzako ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.’ Ini handikodzeri kuwana kunyange kai zvako kwomwoyochena wenyu, nokutendeseka kwenyu kwamakandiitira, ini muranda wenyu nokuti pandakayambuka Jorodhani urwu ndaingova iyeni ndoga netsvimbo yangu. Asi nhasi uno ndava namapoka maviri. Ndapota ndinunureiwo mumaoko emukoma wangu Esau. Ndava kutya ini kuti angauye akatiuraya tose akauraya madzimai navana. Ndimi makambonditsidzira muchiti, ‘Ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka. Ndichakupa vana vakawanda sejecha regungwa vasingaverengeki nokuwanda kwavo.’ ” Jakobho akararapo usiku ihwohwo. Pazvinhu zvaaiva nazvo akasarudza chipo chokupa mukoma wake Esau chamazana maviri enhunzvi dzembudzi, namakumi maviri emakotora, namazana maviri enhunzvi dzehwai, namakumi maviri ehondohwe, namakumi matatu enghamera hadzi nemhuru dzadzo, namakumi mana emhou dzemombe, negumi rehandira, namadhongi echikadzi makumi maviri, negumi remikono yamadhongi. Jakobho akaisa izvi mumaoko avaranda vake kuti vatinhe zvipfuwo zvacho zviri mumapoka azvo, boka rimwe nerimwe riri paro roga. Akati, “Chifanoendai, asi musiye chinhambwe chakati kuti pakati peboka rimwe nerimwe.” Akarayira veboka repamberimberi achiti, “Kana mukoma wangu Esau akasangana nemi akakubvunzai achiti, ‘Muri vekwaani? Ko muri kuenda kupiko? Zvamuri kutinha ndezvaani?’ Imi itii, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho, chipo ichi chatumirwa kunemi changamire, Esau, asi iye Jakobho pachake ari mumashure.’ ” Akarayirawo boka rechipiri nerechitatu navose vaitevera mapoka achiti, “Kana mukasangana naEsau muudzei zvimwechetezvo. Uye muudzei kuti, ‘Muranda wenyuwo Jakobho ari mushure,’ ” nokuti aifunga kuti, “Regai ndimufadze nokufanotumira chipo ichi ndigozoti ndosangana zvangu naye, zvimwe angandigamuchire.” Naizvozvo akafanotumira zvipo izvozvo mberi, iye ndokusara usiku ihwohwo ari pamatendhe. Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora madzimai ake ari maviri navaranda vake vechikadzi vaviri navana vake gumi nomumwechete, ndokundoyambuka Jabhoku napazambuko. Akavayambutsa rwizi, pamwechete nezvinhu zvose zvavaiva nazvo. Jakobho ndokusarako oga. Mumwe murume akaita tsimba naye kusvikira utonga hwabuda. Murume uyu paakaona kuti atadza kukurira Jakobho akamurova nechepahudyu, hudyu yake ikasvodogoka. Murume uyu ndokuti, “Chindirega ndiende! Utonga hwatsvuka!” Asi Jakobho akati, “Handikurege uchienda kunze kwokunge wandikomborera!” Murume uyu akati, “Zita rako ndiani?” Iye ndokuti, “Ndinonzi Jakobho!” Murume uyu ndokuti, “Zita rako harichanzi Jakobho, rava kunzi Isiraeri nokuti wakakwikwidzana naMwari navanhu ukakunda.” Jakobho akamubvunza achiti, “Iwe ndiudzeiwo zita rako.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamukomborera ipapo. Jakobho ndokubva apatumidza zita rokuti Penueri achiti, “Ndaonana naMwari uso nouso, asi ndaramba ndiri mupenyu!” Zuva rakamubudira muPenueri ava kubvamo achikamhina pamusana pehudyu yake. Ndokusaka nanhasi uno vaIsiraeri vasingadye runda rwepahudyu runogara mumbiya yepfupa rapahudyu, nokuti murume iyeyo akarova Jakobho parunda rwapahudyu. Jakobho akatarisa akaona Esau achiuya namazana mana avarume. Akakamura vana vake achiti Rea navake, Rakeri navake, varanda vechikadzi vaye vaviri navavowo. Akatungamidza varanda vaye navana vavo pamberi, vachiteverwa naRea navana vake, kuchizouya Rakeri naJosefi kwokupedzesera. Iye Jakobho akavatungamirira, achiswedera kune mukoma wake akamugwadamira pasi kanomwe kudzamara azosvika kwaaiva. Asi Esau akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akati koche mutsipa wake akamutsvoda, ndokubva vose vasvimha kuburitsa misodzi. Esau akatarisa akaona vakadzi navana akati, “Ko ava vaunavo ndivanaani?” Jakobho ndokuti, “Vana vangu ini muranda wenyu vandakapiwa naMwari nokuda kwenyasha dzake. Varanda navana vavo vakaswederawopo vakamugwadamira. Kwakatevera Rea navana vake vakauyapowo vakamugwadamira. Pakupedzesera, Josefi naRakeri vakauyawo vakamugwadamira.” Esau akati, “Ko matanga namatanga ezvipfuwo andasangana nawo ndeeiko?” Jakobho akati, “Ndeokukutetai changamire kuti mundiitirewo tsiye nyoro.” Esau akati, “Munun'una, ini ndinazvowo zvakawanda! Chengeta zvako zvinhu zvako!” Jakobho akati, “Kweteka. Kana mandiitira mwoyo munyoro, ndinokumbira kuti mugamuchire zvenyu zvipo zvandiri kukupai. Pandaona chiso chenyu ndaita sendaona chiso chaMwari nokuti mandifarira zvikuru. Gamuchirai zvenyu zvipo zvandakuigirai nokuti Mwari akaita zvokundiwodzvorera kwazvo. Chinondipa kudaro ndechokuti ndine zvose.” Akaramba achimunyengetedza kusvikira azvigamuchira. Esau akazoti, “Ngatichisimukai tiende zvedu, ini ndichakutungamirirai pamberi.” Asi Jakobho akamuti, “Changamire munoziva kuti vapwere havana kusimba. Uye ndinotyirawo hwai nemombe dzandinadzo dziri kuyamwisa. Kana zvikanyanya kumhanyiswa kwezuva rimwechete zvaro matanga ose ezvipfuwo zvinopera kufa. Zvino dai mukatungamira zvenyu pamberi pomuranda wenyu changamire. Ini ndichatevera zvangu zvishoma nezvishoma kudzamara ndasvika kwamuri kuSeiri sokufamba kwezvipfuwo zvandiri kutinha izvi nokufambawo kwavana, changamire.” Esau ndokuti, “Kana zvakadaro rega ndikusiyire vamwe varume vandinavo.” Jakobho akati, “Ko munenge muchadarirei nhai changamire? Inga mandiitira mwoyo munyoro wani.” Nokudaro Esau akabvapo zuva iroro odzokera zvake kuSeiri. Asi Jakobho akaenda kuSukoti akambovaka musha wake namatanga ezvipfuwo zvake ikoko. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Sukoti. Jakobho akasvika zvakanaka kuShikemu munyika yeKanani achibva kuMesopotamia, akasvikodzika matendhe ake pedyo neguta reShikemu. Jakobho akatenga katunhu ikako kaakadzika matendhe ake kuna Hamori baba waShikemu. Akabvisa zana remari yamapesita yesirivha. Akavaka atari ipapo akaitumidza zita rokuti Erieroheisiraeri. Dhina mwanasikana waRea waakaberekera Jakobho akashanyira vasikana vomunyika iyoyo. Ipapo Shikemu mwanakomana waHamori wechiHivhi aiva muchinda wenyika iyoyo akamuona ndokumufumura nokumubata chibharo kwaakaita. Akatorwa mwoyo naDhina mwana waJakobho, akamuda, akamutaurirawo nyaya dzorudo. Shikemu akataura nababa vake Hamori achiti, “Ndiroorereiwo Dhina ave mukadzi wangu.” Jakobho akanzwa kuti mwana wake Dhina akanganiswa, izvozvo vana vake vakomana vakanga vari kumafuro vachifudza zvipfuwo. Jakobho akanyarara zvake kudzamara vauya. Hamori baba waShikemu akaenda kuna Jakobho kundokurukura naye. Vanakomana vaJakobho vakadzoka musango mavaiva nokuti vakanga vazvinzwa. Varume ava vakaviruka nehasha, vakashatirwa kwazvo nokuti Shikemu akanga aita chinhu chisina nomusoro wose muIsiraeri chokutadza nomwanasikana waJakobho nokuti hazvifanire kunzarwo. Hamori akataurirana naye achiti, “Mwana wangu Shikemu ari kuda Dhina mwana wenyu chaizvo. Ko hamungabvume here kuti amuroore zvake ave mukadzi wake? Ngatirooreranei. Regai zvenyu tiroore vana venyu, imi muchiroorawo vedu. Ngatigarei pamwechete, nyika ndiyo yose iyi, muite zvenyu mhindu dzinokuwanisai mari, muve noupfumi.” Shikemu akataurirana nababa vaDhina nehanzvadzi dzake achiti, “Kana mafadzwa nechikumbiro changu ndinokupai zvose zvamunenge mareva. Revai zvenyu roora pamunodira nezvirehwarehwa ndinokupai sokutaura kwamunenge maita, chandinongoda chete kuti mundipe musikana iyeyu kuti ave mukadzi wangu.” Vana vaJakobho vakapindura Shikemu nababa vake Hamori vachivaita zvokunyengedza nokuti akanga akanganisa hanzvadzi yavo Dhina. Vakavati, “Hatingabvume zvakadaro, zvokupa hanzvadzi yedu kumunhu asina kudzingiswa nokuti chinhu chinoshoreka kwatiri. Isu tingabvumirane nazvo chete kana imi maitawo sesu, vanhurume vose vokwenyu vatodzingiswa. Kana matodaro ndopatingazokupai vanasikana vedu, isuwo tichitora vanasikana venyu. Ndopatingazogara pamwechete tichiva rudzi rumwe chete. Asi, kana maramba kuteerera zvatareva zvokudzingiswa izvi, tichatora mwana wedu, tobva taenda zvedu.” Zvavakataura izvi zvakafadza Hamori nomwana wake Shikemu. Jaya irori harina kumboita chinono chokuzviita nokuti raida chaizvo mwana waJakobho. Shikemu aiva mukuru mukuru mumhuri yababa vake. Nezvo Hamori nomwana wake Shikemu vakaenda kudare ravanhu kusuo guru reguta ravo vakandotaurirana navanhu vemo vachiti, “Vanhu ava vagere nesu zvakanaka kwazvo, dai vagara zvavo munyika ino vachiita zvavo mhindu dzinovawanisa mari nokuti tarisai muone nyika ihuru iyi. Ngatirooreranei navo, ivo vatore vanasikana vedu isu tichivapawo vedu. Kuti vanhu ava vabvume kugara nesu tichiva rudzi rumwe chete navo ndokunge vanhurume vedu vose vabvuma kudzingiswa sezvavakaita. Ko upfumi hwavo nezvipfuwo zvavo, handiti zvichazova zvedu here? Ngatichingotenderanai navo, vagare nesu.” Vanhu vose vomuguta imomo vakabvumirana nezvakataurwa naHamori nomwana wake Shikemu. Vanhu vose vomuguta iroro vakabva vadzingiswa, vechirume vose, vose zvavo vomuguta iroro. Kwakati kwapera mazuva matatu maronda avarume ava orwadza, vana vaviri vaJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina vakatora mapakatwa avo, vakapinda muguta umu zvechiverevere ndokubva vauraya varume vose vaivamo. Vakauraya namapakatwa Hamori nomwana wake Shikemu, ndokubva vatora Dhina mumba maShikemu, vakaenda naye. Vana vaJakobho vakaenda kuzvitunha zviye vakapamba guta iri nemhaka yokukanganiswa kwakanga kwaitwa hanzvadzi yavo. Vakapamba hwai dzavo nemombe dzavo namadhongi nezvose zvaiva mugutamo nezvaiva kunze kwaro. Vakatorawo upfumi hwavo hwose nezvinhu zvose zvaiva mudzimba dzavo pamwe chete navana navakadzi vachizviita zvavo. Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandipa nhamo mandiparira moto muziso. Iye zvino vanhu vomunyika ino, vaKanani nevaPerizi vachandivenga. Ini ndinongova navanhu vashoma. Kana vakandikomberana vachandiparadza, ini nemhuri yangu.” Simeoni naRevhi vakati, “Ko munoti tairega hanzvadzi yedu ichibatwa sepfambi here?” Mwari akataurira Jakobho kuti, “Chisimuka uende kuBhetieri ugareko, undigadzirire atari ikoko ini Mwari nyakuzviratidza kwauri panguva yawakatiza mukoma wako Esau.” Jakobho ndokuudza mhuri yake navose vaaive navo kuti, “Rasai vamwari vamunavo vasirivo, mushambe mupfeke dzimwe hanzu. Tichaenda kuBhetieri kundogadzira atari yokunamatira Mwari akandinzwa akandibatsira pandaitambudzika. Aiva neni kwose kwandaienda.” Vakabva vapa Jakobho vamwari vasirivo vavakanga vainavo, nemhete dzaiva munzeve dzavo. Jakobho akazvicherera pasi pomuti womuoku waiva pedyo neShikemu akazvifushira. Kuzoti vapinda munzira, vanhu vamaguta omunharaunda iyoyo vakabatwa nokutya kwakabva kuna Mwari zvokuti havana kudzingirira vanakomana vaJakobho. Jakobho navanhu vake vose vaaiva navo vakazosvika kuguta rainzi Ruzi kana kuti Bhetieri riri munyika yeKanani. Akavaka atari ipapo akapatumidza zita rokuti Eribhetieri nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo panguva iya yaakatiza mukoma wake. Ipapo ndipo pakafira Dhebhora akarera Ribheka. Akavigwa pasi pomuoku kumaodzanyemba kweBhetieri. Saka muti wacho wakatumidzwa zita rokuti Muoku Wokuchema. Jakobho paakanga adzoka kuMesopotamia Mwari akazviratidzazve kwaari akamukomborera. Mwari akati kwaari, “Handiti zita rako ndiJakobho, kubvira zvino hauchanzi Jakobho, wava kunzi Isiraeri.” Naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Isiraeri. Mwari akamutizve, “Ndini iye Aripagomo. Bereka vana, muwande. Mumhuri yako muchabuda ndudzi dzavanhu muchabudawo madzimambo. Nyika yandakanga ndapa Abhurahamu naIsaki ndinokupa iwe, ndinopawo nyika iyoyo kuzvizvarwa zvako zvichauya.” Mwari akazobva paakanga achitaura naye oenda zvake kudenga. Jakobho akamisa ibwe refu rechiyeuchidzo panzvimbo apa pakataura Mwari naye, akadururira pamusoro paro mupiro wechokunwa akadururirawo mafuta pariri. Jakobho akatumidza nzvimbo iyi zita rokuti Bhetieri. Vakabva kuBhetieri vosimudzira rwendo rwavo voenda. Asi vachiri chinhambwe nokusvika munyika yeEfurati nguva yaRakeri yokusununguka yakasvika. Rakeri akatambura chaizvo pakusununguka kwake. Zvaakanga ari pahata akatambura zvikuru, vanyamukuta vakati, “Usatye zvako wapiwa zvakare chimwe chikomana.” Rakeri akataura achitandadza kuti zita romwana rinonzi Bhenoni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini. Rakeri akafirapo akavigwa panzira inoenda kuEfurati kana kuti Bheterehemu. Jakobho akamisa ibwe refu kumusoro kweguva rake. Ndiro ibwe refu repaguva raRakeri riripo nanhasi uno. Isiraeri wakareyo Jakobho akabvapo osimudzira rwendo rwake akandodzika matendhe ake ave panzvimbo yokunge tapfuura shongwe yeEdheri. Isiraeri paaiva agereko Rubheni dangwe rake rakatadza naBhiriha murongo wababa vake, Isiraeri ndokuzvinzwa. Jakobho aiva navana vakomana gumi navaviri. Vanakomana vaRea ndiRubheni dangwe rake, naSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naZebhuruni. Vanakomana vaRakeri ndiJosefi naBhenjamini. Vanakomana vaBhiriha muranda wechikadzi waRakeri ndiDhani naNafutari. Vanakomana vaZiripa muranda wechikadzi waRea ndiGadhi naAsheru. Ivava ndivo vanakomana vaJakobho vakaberekerwa kuMesopotamia. Jakobho akandoona baba vake Isaki kuMamure kana kuti guta reAribha ndiro rimwechetero rinonzi Hebhuroni. Kwakambogara Abhurahamu naIsaki. Isaki akagara zana namakumi masere amakore. Isaki akazochembera zvake akakwegura zvokugutsikanawo ndokufa zvake oendawo kwakaenda vamwe vokwake vachakabvu. Esau naJakobho vana vavo vakavaviga. Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaEsau ainziwo Edhomu. Esau akaroora madzimai echiKanani vaiti; Adha mwana waEroni werudzi rwavaHiti naOhoribhama mwana waAna, mwanakomana waZibheoni worudzi rwavaHivhi, naBhasimati hanzvadzi yaNebhayoti mwana waIshimaeri. Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasimati akaberekawo Rueri. Ohoribhama akabereka Jeushi naJaramu naKora. Ivava ndivo vanakomana vaEsau vakaberekerwa munyika yeKanani. Esau akasiya munun'una wake Jakobho ndokubva atamira kure. Akaendako namadzimai ake navana vake vakomana navasikana navanhu vake vose. Akaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvake noupfumi hwake hwose hwaakanga awana munyika yeKanani. Esau akatama nokuti iye naJakobho vakanga vava nezvipfuwo noupfumi hwakawanda, vasisinawo mafuro anovakwanira kuti vagare pamwechete. Esau akandogara mumakomo mudunhu reSeiri. Esau uyu ndiye akarevo Edhomu. Hezvinoi zvizukuru zvokwaEsau tateguru weEdhomu aigara munyika yamakomo yeEdhomu. Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau. Adha mudzimai waEsau akabereka Erifazi. Bhasimati mukadzi waEsau akaberekawo Rueri. Vanakomana vaErifazi ndiTemani naOmari naZefo naGatamu naKenazi. Timuna akanga ari murongo waErifazi mwanakomana waEsau, naiyewo akaberekera Erifazi mwana mukomana ainzi Amareki. Ivava ndivo vanakomana vaAdha mukadzi waEsau. Avawo ndivo vanakomana vaRueri kwaiti, Nahati naZera naShama naMiza. Ivava ava ndivo vanakomana vaBhasimati mukadzi waEsau. Mudzimai waEsau ainzi Ohoribhama mwanasikana waAna, mwanakomana waZibheoni, akabereka Jehushi naJaramu naKora. Dangwe raEsau rainzi Erifazi, rakabereka vanakomana vakazova madzishe. Madzishe acho ndiwo ano aya: Temani naOmari naZefo naKenazi, naKora naGatamu naAmareki. Ndiwo madzishe okwaErifazi aigara munyika yeEdhomu akaberekwa naAdha. Mwana waEsau ainzi Rueri akaberekawo vanakomana vakazova madzishe munyika yeEdhomu. Madzishe acho ndeaya: Nahati naZera naShama naMiza ivava ndivo madzishe okwaRueri aigara munyika yeEdhomu akaberekwa naBhasimati mukadzi waEsau. Ohoribhama mudzimai waEsau akaberekawo vanakomana vakazova madzishe munyika yeEdhomu. Madzishe acho ndiwo anowo aya anoti: Jeushi naJaramu naKora. Ivava ndivo madzishe akaberekwa nomudzimai waEsau mwanasikana waAna. Saka ivava ndivo vanakomana vaEsau kana kuti Edhomu pamwechete namadzishe avo. Ava ndivo vanakomana vaSeiri vorudzi rwechiHori vagari vomunyika iyoyo. Kwaiti Rotani naShobharu naZibheoni naAna, kwoti Dhishoni naEzeri naDhishani. Ivava ndivo vaiva madzishe evaHori munyika yeEdhomu. Vanakomana vaRotani ndevano ava Hori naHemamu. Timina ndiyo yaiva hanzvadzi yaRotani. Vanakomana vaShobharu ndivo avawo, Arivhani naManahati naEbhari naShefo naOnamu. Vanakomana vaZibheoni ndaava vanoti Aiya naAna. Ndiye Ana uya akawana zvitubu zvemvura inopisa musango, achifudza madhongi ababa vake Zibheoni. Ana akabereka mwana mukomana ainzi Dhishani akaberekawo mwanasikana ainzi Ohoribhama. Vanakomana vaDhishani ndiHemudhani naEshibhani naItirani naKerani. Vanakomana vaEzeru ndiBhirihani naZaavhani naAkani. Vanakomana vaDhishani ndiUzi naArani. Haanoi mazita amadzishe evaHori, kwaiti Rotani naShobharu naZebheoni naAna, kwouya Dhishani naEzeri. Ivava ndiwo madzishe echiHori vaigara munyika yeSeiri namadzinza awo. Haanoi madzimambo akatonga muEdhomu vaIsiraeri vasati vava namadzimambo. Paiti Bhera mwanakomana waBheori akatonga muEdhomu. Zita reguta rake rainzi Dhinihabha. Kuzoti Bhera afa, Jobhabhu mwanakomana waZera wokuBhozera ndiye akasara akatonga pachinzvimbo chake. Jobhabhu akazofa ndokubva Hushamu wedunhu revaTemani atonga panzvimbo yake. Pakafa Hushamu, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi akatonga pachinzvimbo chake. Ndiye Hadhadhi uya akakurira Midhiani kusango reMoabhu. Zita reguta rake rainzi Avhiti. Hadhadhi akazofa, Samira wokuMasareka akabva atonga pachinzvimbo chake. Samira akazofa, Shauro weRehobhoti naYufuratesi ndokutonga pachinzvimbo chake. Shauro akafa Bhaarihanani mwanakomana waAkabhori ndokutonga pachinzvimbo chake. Bhaarihanani, mwanakomana waAkabhori akafa, Hadhari akatonga pachinzvimbo chake. Zita reguta rake rainzi Pau. Zita romudzimai wake rainzi Mehetabheri, aberekwa naMatiredhi, mwanasikana waMezahabhi. Mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzavo, namaguta avo, ndaaya anoti: Timina naArivha naJeteti naOhoribhama, naEra naPinoni, kwouya Kenazi naTemani, naMibhuzari, naMagidhieri naIramu. Iwaya ndiwo madzishe okwaEdhomu namatunhu avo. Esau ndiye tateguru wavaEdhomu. Jakobho aigara munyika yeKanani maimbogara baba vake achiti apa garei tamei apa garei. Heinoi nhoroondo yemhuri yaJakobho. Josefi paakanga ava jaya rine makore gumi namanomwe aienda navakoma vake kundofudza zvipfuwo. Vakoma vake ava vaiva vana vaBhiriha naZiripa vakadzi vababa vake. Josefi aigarovachera kuna Isiraeri baba vake. Isiraeri aida Josefi chaizvo kupfuura vamwe vana vake vose nokuti akazoberekwa ivo vakwegura. Akasonera Josefi hanzu yakanga yakareba, yemaoko marefu. Vakoma vake vakazviona kuti baba vavo vaimuda kupfuura vamwe vose, vakamuvenga vakatadzawo kunyatsotauriranawo naye zvakanaka. Rimwe zuva Josefi akarota hope dzake. Paakadziudza vakoma vake, vakabva vatonyanya kumuvenga. Akati, “Donzwai hope dzangu dzandarota. Tanga tichisunga zvisote zvekoroni mumunda, wanei chisote changu chakanyatsoti twi-i kumira. Zvisote zvenyu zvakomberedza changu zvikabva zvazochikotamira.” Vakoma vake vakati, kwaari “Heya! Saka unofunga kuti uchava ishe wedu ugotitonga tose nhai!” Vakanyanya kumuvengera zviroto zvake nezvaaitaura. Akazorota zvakare dzimwe hope, ndokuudza vakoma vake achiti, “Ndarotazve dzimwe hope. Ndaona zuva nomwedzi nenyenyedzi gumi neimwe zvichindikotamira.” Asi paakaudza baba vake navakoma vake izvozvo, baba vake vakamutsiura vachiti, “Ko iwe dzako ihopei dzaunongoti ndarota ndarota? Heya unoreva kuti ini namai vako navakoma vako, chaizvoizvo tichazogwadamira iwe nhai?” Vakoma vake ndokubva vava kumuitira shanje, asi baba vake vakazvipfundira mumwoyo mavo. Vakoma vaJosefi vakandofudzira hwai dzababa vavo kuShikemu. Zvino Isiraeri akati kuna Josefi, “Handiti vakoma vako vari kufudzira zvipfuwo kuShikemu? Uya ndikutume kwavari.” Josefi akati, “Zvakanaka, nditumei henyu.” Jakobho akati, “Enda kuna vakoma vako vari kufudza zvipfuwo undoona kuti kwakadii, ugodzoka wondiudza.” Saizvozvo akamutuma achibva kubani reHebhuroni achienda kuShikemu. Ipapo mumwe murume akaona Josefi achipukaira musango. Murume uyu akati, “Uri kutsvakei?” Josefi akati, “Ndiri kutsvaka vakoma vangu vari kufudza zvipfuwo. Ko mungandiudzewo kwavari here?” Murume uyu ndokuti, “Vakabva pano, nokuti ndakavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’ ” Josefi akatevera vakoma vake ikoko akandovawanira kuDhotani. Zvino vakoma vake vakamuona achiri kure, asati asvika pedyo navo, vakarangana kuti vamuuraye. Vakataurirana vachiti, “Heyo shasha iye yokurota yauya. Ngatimuurayei, timukande mune rimwe gomba, tozoti akadyiwa nechikara, tigoona kuti kurota kwake kwacho kuchasvikepi.” Rubheni paakazvinzwa, akanunura Josefi mumaoko avo achiti, “Ngatiregei kumuuraya.” Rubheni akatizve, “Ngatiregei kudeura ropa. Mukandei zvenyu mugomba iri riri pano murenje muno asi musawane chamunoita kwaari.” Akareva izvozvo achida kununura Josefi mumaoko avo kuti azomudzosera kuna baba vake. Kuzoti Josefi asvika kuvakoma vake, vakamukatanura hanzu yake aya yaakanga akapfeka, yakanga yakareba, yemaoko marefu. Vakamubata vakamukanda mugomba risina mvura. Vakagara pasi vava kudya zvavo, ndokubva vaona dungwerungwe revaIshimaeri vaibva kuGiriadhi vachienda kuIjipiti. Vakanga vaine ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvokuzora zvinonhuhwira zvinoti, gamu neBharimu tunonhuhwirira. Zvino Judha akati, kuvakoma navanun'una vake, “Kuuraya munun'una wedu, tichizoramba mhosva yacho kunobatsireiko? Uyai timutengese kuvaIshimaeri tirege kumukuvadza nokuti munun'una wedu chaiye, tiri veropa rimwechete.” Vakoma navanunun'una vake vakabva vamuteerera. Kuzoti vashambadzi vorudzi rwevaMidhiani ava vasvikapo, vakoma vake vakakweva Josefi vachimuburitsa mugomba umu, vakabva vamutengesa kuvaIshimaeri ndokupiwa mari yesirivha makumi maviri, vaIshimaeri ava ndokuenda naye kuIjipiti. Rubheni paakazodzokera kugomba kuya, akaona Josefi musisina, ndokubva abvarura hanzu dzake neshungu. Akadzokera kuvanun'una vake, ndokusvikoti, “Vakomana, inga mwana haasisimo mugomba. Zvino ini ndinoenda kupiko ini!” Vakabva vauraya mbudzi ndokunyika hanzu yaJosefi iya muropa rayo. Vakatumira hanzu yake yemaoko marefu iya kuna baba vavo vachiti, “Onai zvatanonga izvi. Tarisaiwo muone kana iri hanzu yomwana wenyu kana kuti kwete.” Jakobho akaiziva ndokubva ati, “Inga ihanzu yomwana wangu! Akadyiwa nechikara chete! Chokwadi Josefi akaparara!” Jakobho akabvarura hanzu dzake neshungu. Akapfeka masaga akabva achema mwana wake kwamazuva mazhinji. Vana vake vose vakomana navasikana vakaedza kumunyaradza, asi mwoyo wake wakaramba kusununguka. Akati, “Ndichadzamara kufa ndichizoenda kunzvimbo yavachakabvu ndichichema mwana wangu.” Ndokuchema kwaiita baba vake zuva nezuva. Izvo vaMidhiani vaye vakanga vatotengesa Josefi kuIjipiti, kuna Potifari, jinda raFarao raiva mukuru mukuru wavachengeti vokwamambo. Panguva iyoyo Judha akasiya vakoma navanun'una vake akaenda kuno mumwe murume ainzi Hira wechiAdhuramu. Ikoko Judha akaona mwanasikana womumwe murume wechiKanani ainzi Shua akabva amuroora, akagara naye. Mukadzi uyu akava nepamuviri, akabereka mwana mukomana ndokumutumidza zita rokuti Eru. Akazovazve napamuviri akabereka mwana mukomana waakatumidza zita rokuti Onani. Akazoberekazve mumwe mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Shera. Akanga ari kuKezibhi paakamubereka. Judha akazoroorera Eru dangwe rake mukadzi ainzi Tamari. Asi pana Tenzi, Eru dangwe raJudha rakanga rakaipa mwoyo, saka Tenzi akabva amuuraya. Judha akazoti kuna Onani, “Gara nhaka mukadzi womukoma wako umuberekere vana.” Onani akaziva kuti vana vaizoberekwa havaizonzi ndevake. Saka aiti kana osangana naTamari, aidururira simba rake pasi kuti arege kuberekera mukoma wake vana. Kuita kwaOnani hakuna kufadza Tenzi, ndokubva amuurayawo zvakare. Judha akataura nomuroora wake Tamari achiti, “Dai machimbondogara kumusha kwababa venyu, muri chirikadzi kudai kusvikira Shera mwanakomana wangu akura.” Izvozvo Judha aifunga mumwoyo make kuti zvimwe Shera angafewo sezvakaita vakoma vake. Tamari akandogara zvake kumusha kwababa vake. Kwapera nguva yakati rebei, mudzimai waJudha, mwana waShua akafa. Judha akati apedza nguva yokuchema mudzimai wake, akaenda kuTimina kwaiva navanhu vaiveura hwai dzavo. Akaenda pamwechete naHira shamwari yake yechiAdhuramu. Kuzoti Tamari audzwa kuti, “Vatezvara vako vachaenda kuTimina kundoveura hwai dzavo,” akabvisa hanzu dzouchirikadzi dzaaipfeka, ndokupfeka dzimwewo. Akazvifukidza nedhuku rake, ndokundogara pamusuo weguta rainzi Enaimi raiva panzira yaienda kuTimina. Tamari akanga aona kuti Shera akura, asi haana kunge amupiwa kuti amugare nhaka. Judha akaona Tamari akafunga kuti zvimwe ipfambi zvayo nokuti akanga akazvifukidza uso. Judha akatsaukira kwaari akataurirana naye kuti aite chakaipa naye, asingazivi kuti muroora wake. Tamari akati, “Munondipeiko kana maita izvozvo neni?” Judha ndokuti, “Ndichasarudza mbudzana pazvipfuwo zvangu ndigokutumira.” Tamari ndokuti, “Ndipei chandinofanobata kudzamara maitumira.” Judha akati, “Ndingagokupa chiiko?” Iye ndokuti, “Ndipei mhete yenyu yechidhindo netambo yayo pamwechete nomudonzvo wenyu.” Judha akamupa zvinhu izvozvo, ndokutadza zvake naye akabva ava napamuviri. Tamari akasimuka ndokuenda zvake ndokusvikobvisa dhuku rake riya pauso, ndokupfekazve hanzu dzake dzouchirikadzi. Judha akazotuma shamwari yake yechiAdhuramu kuenda nembudzana iya achiti andodzorerwa zvinhu zviya zvakanga zvafanobatwa, asi akasvikomushaya. Hira akabvunza vanhu vomuEnaimi achiti, “Ko pfambi yaigara panzira muEnaimu iripiko?” Vanhu ndokuti, “Hakuna pfambi yakanga iri kuno.” Hira akadzokera kuna Judha akasvikoti, “Handina kuiona, uye vanhu vokowo vati hakugari pfambi uku.” Judha ndokubva ati, “Ngaasva agara zvake nazvo, zvingatinyadzise izvi. Tarisa uone ndatumira mbudzana asi iwe wasvikomushaya.” Kuzoti kwapera mwedzi inenge mitatu, Judha akaudzwa kuti, “Muroora wako Tamari akaita upombwe, atova napamuviri paakabata muunzenza ihwohwo.” Judha akati, “Uyai naye apiswe afe.” Pavakandoti vauye naTamari kudaro, iye Tamari akatuma shoko kuna vatezvara vake rokuti, “Ndava napamuviri pomuridzi wezvinhu izvi. Doongororai nyembe nomudonzvo mugoona kuti ndezvaani.” Judha akaziva zvinhu zvake zviye akati, “Tamari haana mhosva. Ini ndini ndine mhosva. Handina kuzoti Shera mwana wangu amutore.” Tamari paakanga osununguka, pakaoneka kuti aiva namapatya. Kuzoti ava pahata achisununguka, mumwe mwana akabudisa ruoko. Ipapo vanyamukuta vaibatsira pakusununguka vakatora shinda tsvuku ndokusunga ruoko rwomwana vachiti, “Uyu ndiye atanga kubuda.” Asi mwana uyu akadzosera ruoko rwake mukati, akanga ari mukati akabva abuda. Vanyamukuta ava ndokubva vati, “Inga wazvipeurira nzira yako!” Ndokusaka akatumidzwa zita rokuti Ferezi. Mumwe wacho akazobuda akasungwa neshinda tsvuku ruoko rwake, akatumidzwa zita rokuti Zera. Vanhu vechiIshimaeri vaye vakaenda naJosefi kuIjipiti. Akatengwa nomuIjipiti ainzi Potifari kuvaIshimaeri vainge vadzika ikoko. Potifari aiva jinda raFarao ari mukuru mukuru wavachengeti vokwamambo. Tenzi aiva naJosefi. Naizvozvo akabudirira kwazvo agere mumba matenzi wake wechiIjipiti. Potifari akaona kuti Tenzi akanga aina Josefi. Akaonawo kuti Tenzi ndiye aibatsira Josefi pazvinhu zvose zvaaiita, kuti zvibudirire. Potifari akafadzwa naJosefi. Akamuita mutariri wezvemba yake zvose, akaturirawo mumaoko ake zvose zvaaiva nazvo. Kubva panguva iyoyo yaakamuita mutariri wezvemba yake zvose, nezvose zvaaiva nazvo, Tenzi akakomborera mhuri yaPotifari pamusana paJosefi. Tenzi akakomborerawo upfumi hwake hwose hwaiva mumusha nehwaiva muminda. Naizvozvo akaisa zvinhu zvake zvose mumaoko aJosefi. Nokudaro Potifari zvaaiva naye kudai akanga asisazvinetse nokufunga chokuita kusara kwezvokudya zvake chete. Josefi akanga ane chimiro chakanaka, aine chiso chakarurama. Gare gare mudzimai waPotifari akachiva Josefi, akamukumbira kuti aite chakaipa naye. Asi Josefi akaramba akati kumudzimai watenzi wake, “Tarisai muone, tenzi wangu aineni kudai, hapana chinhu chaanombozvinetsa nacho mumba, uye vakaisa zvinhu zvose zvavanazvo mumaoko angu. Hakuna munhu ane simba kudarika ini pamba pano. Tenzi wangu akandipa masimba pamusoro pezvinhu zvose, kunze kwenyu imi moga nokuti muri mudzimai wake. Zvino ndingagoita sei chinhu chakaipa kudaro ndichitadzira Mwari?” Kunyange zvake mudzimai uyu akanyengetedza Josefi zuva nezuva, Josefi akaramba kumuteerera akaramba kuita chakaipa naye kana kutandara naye. Mumwe musi Josefi akapinda mumba achindoita basa rake, vamwe varanda vakanga vasimo. Pakarepo mudzimai uyu akamuti ndu-u hanzu yake achiti, “Rara neni.” Ipapo Josefi akapukunyura akabva asiya hanzu yake muruoko rwomudzimai uyu ndokutizira panze. Mudzimai uyu paakaona kuti Josefi apukunyura akasiya hanzu yake muruoko rwake achitizira panze, akadaidza varanda vepamba pake vechirume akavati, “Mazvionaka! MuHebheru uyu watakaunzirwa ava kutivirimira. Auya achida kurara neni, ndikabva ndaridza mhere. Zvaanzwa mhere yandaridza asiya hanzu yake akabva atizira panze.” Mudzimai uyu akachengeta hanzu yaJosefi kusvikira tenzi wake vadzokera kumba. Akamutaurira kuti, “Muranda uyu wechiHebheru wamakatiunzira pano, auya kuzondivirimira. Asi pandaridza mhere abva asiya hanzu yake akatizira panze.” Tenzi wake akatsamwa zvikuru paakanzwa zvakataurwa achiti, “Ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wenyuka izvi.” Akabva aisa Josefi mujeri maisipfigirwa vasungwa vamambo. Nokudaro Josefi akapfigirwa mujeri akagaramo. Asi Tenzi aiva naJosefi, akaramba achimuitira mwoyochena, akaita kuti mutariri wejeri amuitire mwoyo wakanaka. Mutariri wejeri akaisa vasungwa vose vakanga vari mujeri mumaoko aJosefi. Zvose zvaiitwa mujeri zvaitariswawo naJosefi. Mutariri wejeri haaimbozvinetsa nezvinhu zvaitariswa naJosefi nokuti Tenzi aiva naJosefi achimubatsira kuti zvose zvaaiita zvibudirire. Kwakati kwapera nguva yakati kuti, mukuru mukuru wamambo weIjipiti wokuona nezvewaini, nomukuru mukuru wavabiki vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. Farao akashatirirwa vashandi vake vaviri ava vanoti mukuru mukuru wokuona nezvewaini nomukuru mukuru wavabiki. Akavasunga akavapfigira mumba yomukuru mukuru wavachengeti vokwamambo, mujeri makanga makaiswawo Josefi muya. Mukuru mukuru wavachengetedzi iyeyo akaudza Josefi kuti avashandire. Vakagara mujeri kwenguva ndefu. Rimwe zuva vashandi vamambo weIjipiti vaviri vaya, vaiti mukuru mukuru wokuona nezvewaini nomukuru mukuru wavabiki vachiri mujeri kudaro, vakarota hope usiku humwechete. Mumwe nomumwe wavo akarota hope dzake dzaiva nezvadzaireva. Ava mangwanani Josefi akauya akavaona vakasuruvara. Akabvunza vashandi vaFarao ava vaiva mujeri pamwechete naye muimba yatenzi wake achiti, “Ko nhasi uno zviso zvenyu zvakati hurududu kusuwa seiko?” Vakamuti, “Tarota hope dzedu, asi tashaya munhu anogona kudzidudzira.” Josefi ndokuti kwavari, “Ko handiti kududzira hope ndokwaMwari here? Dondirondedzerai henyu ndinzwe.” Ipapo mukuru mukuru wokuona nezvewaini akarondedzera Josefi hope dzake achiti, “Ndarota ndichiona mugirepisi. Mugirepisi wacho wanga una mapazi matatu. Pawangoti bukirei, wabva waburitsa tumaruva. Matsumbu awo akabva aita magirepisi akaibva. Ndanga ndakabata mukombe waFarao muruoko rwangu. Ndatora magirepisi ndikasvinira muto wacho mumukombe ndikapa Farao.” Josefi akamuti, “Hezvinoi zvadzinoreva: Mapazi matatu anoreva mazuva matatu. Kana mazuva matatu apera, Farao achatonga mhosva yenyu, agokudzoserai kubasa renyu. Ipapo muchagamuchidzazve mambo mukombe wake sezvamaiita kare somukuru mukuru wokuona nezvewaini. Asi ndinokumbira kuti muzondiyeukawo kana zvazokufambirai zvakanaka. Mundinzwire tsitsi, mundirevererewo kuna Farao, kuti ndibudiswe muno, nokuti zvechokwadi ini ndakabiwa kunyika yavaHebheru. Kunyange kuno hapana chandakatadza chingasakise kuti ndiiswe mujeri.” Kuzoti mukuru mukuru wavabiki anzwa dudziro yakanaka yakanga yapiwa naJosefi akati, “Neniwo ndarota ndakatakura pamusoro tswanda nhatu dzakaturikidzana dzanga dziine chingwa. Mutswanda yapamusoro manga muine mhando nemhando dzezvokudya zvaFarao, asi zvanga zvichidyiwa neshiri zviri mutswanda yanga iri pamusoro pangu.” Josefi ndokupindura achiti, “Izvi ndizvo zvinoreva hope dzenyu: Tswanda nhatu dzinoreva mazuva matatu. Kana mazuva matatu apera, Farao achatonga mhosva yenyu, agokusungirirai mumuti shiri dzichizodya mutumbi wenyu.” Kuzoti kwapera mazuva matatu, mambo Farao akaitira varanda vake mabiko okupemberera zuva rokuberekwa kwake. Akaunza padare mukuru mukuru wokuona nezvewaini pamwechete nomukuru mukuru wavabiki uya paiva namakurukota ake. Mukuru mukuru wokuona nezvewaini akadzorerwa pabasa rake rakare rokugamuchidza mambo waini. Asi mukuru mukuru wavabiki akamusungirirwa mumuti, sokududzirwa kwazvakanga zvaitwa naJosefi. Mukuru mukuru wokuona nezvewaini uya haana kuzorangarira Josefi, asi akatomukanganwa. Kwakati kwapera makore maviri, Farao akarota hope dzake. Akarota amire muna Nairi, achiona mhou nomwe dzemombe dzakanaka, dzakakora dzichibuda murwizi, dzichindofura mutsanga. Akaonazve dzimwe mhou nomwe dzakaipa, dzakaonda dzichibudawo murwizi, dzikandomira paiva nedzimwe mhou dziya dzakanaka pamahombekombe erwizi. Mhou dzakaonda dzakadya mhou dzakakora. Farao ndokubva apepuka. Akavatazve, ndokurota dzimwe hope. Akaona hura nomwe dzekoroni dzakasvika dzakanaka dzaiva padzinde rimwechete. Akaona hura nomwe dzekoroni nhete dzakanga dzisina kusvika, dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva. Hura nhete dzakamedza hura dziya dzakasvika, Farao akapepuka, wanei kuti kwaiva kurota chete. Kuzoti kwaedza Farao akanetseka zvikuru. Akatuma vanhu kundodaidza n'anga dzose dzomuIjipiti navachenjeri vose. Akavarondedzera hope dzake, asi havana kugona kudzidudzira kuna Farao. Ipapo mukuru mukuru wokuona nezvewaini akataura kuna Farao achiti, “Nhasi uno ndayeuchidzwa kutadza kwangu. Handiti imi mambo makambotishatirirwa isu varanda venyu, ini nomukuru mukuru wevabiki, makatisunga tikaiswa mujeri, mumba yomukuru wavachengeti vokwamambo. Tose tiri vaviri takarota hope usiku humwechete. Hope dzomumwe nomumwe wedu dzaiva nezvedzaireva. Takanga tiine rimwe jaya rechiHebheru raiva muranda womukuru wavachengetedzi iyeyo. Takamurondedzera hope dzedu, iye akabva adudzira chiroto chimwe nechimwe. Zvose zvaakadudzira, ndizvo zvakazoitika kwatiri. Ini ndakadzorerwa pabasa rangu, mubiki akasungirirwa akafa.” Ipapo Farao akatuma munhu kundodaidza Josefi. Vakamukurumidzisa kubuda mujeri muya. Akaveura ndebvu dzake vakamupfekedza dzimwe hanzu, ndokuenda naye kuna Farao. Farao akataura kuna Josefi achiti, “Ndakarota hope, asi hakuna munhu agona kudzidudzira. Zvino ndanzwa nezvako zvichinzi kana munhu akakurondedzera hope dzake, iwe unogona kudzidudzira.” Josefi akapindura Farao achiti, “Kwete ini, changamire, asi Mwari ndiye angakupei dudziro chaiyo.” Farao ndokuti, “Ndakarota ndimire pamahombekombe aNairi, ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe dzakanaka, dzakakora dzichifura zvadzo mutsanga. Kwakazobudazve dzimwe mhou nomwe, dzakaondoroka, zvokusara dzava marangwanda chaiwo zvandisati ndamboona munyika yeIjipiti yose. Mhou dzakaondoroka dziye dzakadya mhou dzakakora dziya. Asi dzakasara dziya padzakadzidya hakuna aigona kuzviona kuti dzadya dzimwe nokuti dzakaramba dzakangoondoroka sapakutanga paya. Pakarepo ndakapepuka. Ndakarotazve ndichiona hura nomwe dzembesanwa dzaiva padzinde rimwechete dzine hura dzakasvika. Pakazobudawo dzimwe hura nomwe nhete dzisina kusvika dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva. Hura nhete dzakamedza hura nomwe dziya dzakanga dzakasvika. Ndakarondedzera kun'anga hope dzangu, asi hakuna kana imwechete yadzo yakagona kudzidudzira.” Ipapo Josefi akati kuna Farao, “Changamire, hope dzenyu dziri mbiri dziri kunanga chinhu chimwechete. Mwari akuratidzai imi Farao zvaava kuda kuita. Mhou nomwe dzakakora zvinoreva makore manomwe. Hura nomwe dzakasvika zvinorevawo makore manomwe. Hope dzacho dzinongova dzimwechetedzo. Mhou nomwe dziye dzakaondoroka dzakazogumisira kubuda nehura nomwe dzembesanwa dzakanga dzisina kusvika dziya, dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe emvemve yenzara huru. Ndizvo zvandambotaura wani kwamuri Farao, kuti Mwari akuratidzai zvaava kuda kuita. Kuri kuuya makore manomwe emaguta chaiwoiwo munyika yose yeIjipiti. Asi kuchazouyawo makore manomwe enzara huru zvokuti vanhu vachakanganwa makore ose emaguta nokuti nyika yose yeIjipiti ichaparara nenzara. Makore emaguta achakanganikwa nokuti nzara yacho ichanyanyisa kuipa. Chiroto chenyu chapamhidzwa ruviri nokuti Mwari ndizvo zvaatoronga. Iye Mwari achakurumidza kuzviita. Zvino imi dai mukasarudza munhu akangwara anoziva kunyatsoronga zvingaitwe, mumuite mukuru mukuru anotarisa zvomunyika yeIjipiti. Musarudzewo vamwe vatariri munyika ino. Pamasaga mashanu embesanwa, imi mambo mutore rechishanu mumakore manomwe emaguta. Ngavaunganidze zvokudya zvose zvamakore akanaka achauya, vazvitutire pamunenge mavarayira, vazvichengetere mumaguta mavanogara. Ndizvo zvichachengeterwa nyika ino kuitira makore manomwe enzara huru ichabaya nyika yeIjipiti, nyika irege kuparara nenzara.” Farao namakurukota ake ose vakafadzwa nezano raJosefi, vakaribvuma. Farao akataura namakurukota ake achiti, “Ndokupi kwatingawane munhu anokunda uyu Josefi ane mweya waMwari?” Farao akatiwo, kuna Josefi, “Mwari zvaadai kukuratidza izvozvo zvose, hapana munhu mumwe akangwara sewe angazive kunyatsoronga zvokuita. Ndiwe wava mutongi mukuru wezvapamuzinda wangu. Vanhu vangu vose vanosungirwa kuita sokutaura kwaunenge waita. Asi kana zvava zvoumambo ndipo poga pandiri mukuru kwauri.” Farao akataurirawo Josefi kuti, “Chionaka, ndakugadza kuti utonge nyika yose yeIjipiti.” Farao akabvisa mhete yake youmambo pamunwe wake akaipfekedza pamunwe waJosefi. Akamupfekedzawo hanzu dzerineni dzakanaka kwazvo nenyembe yecheni dzendarama muhuro make. Mambo akati Josefi akwire mungoro yechipiri youmambo. Mberi kwake kukagotungamidzwa vaidaidzira vachiti, “Gwadamai muchimuremekedza.” Ndiko kugadzwa kwakaitwa Josefi kuti atonge nyika yose yeIjipiti. Farao akatiwo kuna Josefi, “Ini ndini mambo munyika yose yeIjipiti. Hapana munhu achaita chinhu kunyange chipi zvacho asina kubvumirwa newe.” Farao akatumidza Josefi zita rokuti Zafenatipanea, akamupawo mukadzi ainzi Asinati, mwana waPotifera mupristi weguta reOni. Naizvozvo Josefi akabuda akafamba neIjipiti achiona. Josefi akanga ava namakore makumi matatu nguva yaakapiwa basa naFarao mambo weIjipiti. Ndopaakandeya nenyika yose yeIjipiti. Pamakore manomwe emaguta nyika yakabereka mbesa zhinji kwazvo. Josefi akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe amaguta munyika yeIjipiti achiunganidza zvokudya izvo. Muguta rimwe nerimwe aitutira mbesa dzaikohwiwa muminda yakapoteredza guta racho iroro. Saizvozvo Josefi akaunganidza mbesanwa zhinji kwazvo, dzakawanda sejecha regungwa kusvikira arega zvokuverenga mbesanwa dzacho nokuti dzakanga dzawandisa. Makore enzara asati asvika, Josefi akaita vana vakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati mwana waPotifera mupristi wokuOni. Josefi akatumidza mwana wake wedangwe zita rokuti Manase achiti, “Mwari andibatsira kukanganwa nhamo dzangu nemhuri yababa vangu yose.” Josefi akatumidza mwana wake wechipiri zita rokuti Efuremu, akati, “Mwari andipa vana ndiri munyika yenhamo yangu mandiri.” Makore manomwe emaguta muIjipiti akazopera. Makore manomwe enzara ndokubva atanga sezvakanga zvarehwa naJosefi. Panyika pose pakava nenzara asi muIjipiti yose maiva nezvokudya. Kuzoti nyika yose yeIjipiti yarumwawo nenzara vanhu vakachema kuna Farao vachichemera chokudya. Farao akataurira vaIjipiti vose achiti, “Endai kuna Josefi, muite zvaanokuudzai.” Pakanga zvino nzara yaruma panyika pose, Josefi akazozarura matura embesanwa akavamba kutengesera vaIjipiti vose zvokudya nokuti Ijipiti yakanga yaparara nenzara. Vanhu vedzimwe nyika dzose vakauya kuIjipiti kwaiva naJosefi kuzotenga zvokudya nokuti nzara yakanga yabaya pasi pose. Jakobho paakazviziva kuti kuIjipiti kune mbesanwa, akabvunza vana vake achiti, “Maita seiko kungotarisana kudai? Inga ndakanzwa kuti kuIjipiti kune mbesanwa. Dai mukaendawo ikoko mundotitengera zvokudya tipone, tirege kufa.” Ipapo vakoma vaJosefi gumi vakaenda kuIjipiti kundotenga zvokudya. Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini munun'una waJosefi pamwechete navo, aiti zvimwe angawane chinomuwana. Nokudaro vanakomana vaJakobho vakauya kuzotenga zvokudya pamwechete navamwe vanhu vakanga vachiuyawo ikoko nokuti muKanani makanga mave nenzara. Josefi aiva changamire munyika yeIjipiti. Ndiye aitengesera vanhu vose venyika iyoyo zvokudya. Vakoma vaJosefi vakasvikomugwadamira uso vakati pasi kota kota vachimuremekedza. Josefi akaona vakoma vake akavaziva, asi akavabata sevatorwa akataura navo achivajinyura achiti, “Mabva kupiko?” Ivo vakati, “Tabva kunyika yeKanani, tauya kuzotenga zvokudya.” Josefi akaziva zvake vakoma vake, asi ivo havana kumuziva. Josefi akayeuka hope dziye dzaakarota dzaitaura nezvavo ndokuti, “Muri vasorika imi, mauya kuzoongorora nyika ino kuti muone payakaita zinyekenyeke mugoirwisa.” Ivo vakati, “Kwete changamire! Isu varanda venyu tauya kuzotenga zvokudya chete. Tose tiri vana vomunhu mumwechete. Tiri vanhu vakavimbika. Isu varanda venyu hatisiri vasori kwete.” Josefi akati, “Aiwa, chamavinga imi kuzoongorora nyika ino kuti muone payakaita zinyekenyeke mugoirwisa.” Ivo vakati, “Isu varanda venyu tiri vana gumi navaviri. Tiri vana vomunhu mumwechete. Tinogara kunyika yeKanani. Munun'una wedu wokupedzesera akasara nababa asi mumwechete akatisiya.” Josefi akati, “Ndokusaka ndati muri vasori. Ndinopika namambo Farao! Imi hamubve pano kana munun'una wenyu muduku asina kuuya pano. Ndipo pandichaziva kuti muri kutaura chokwadi. Tumai mumwe wenyu andotora munun'una wenyu, asi imi vamwe mose muchasara muusungwa. Ndipo patichazoziva kuti muri kureva chokwadi here kana kuti kwete. Kana zvisina kudaro, ndinopika naFarao, muri vasori.” Josefi akabva avaisa vose mujeri kwamazuva matatu. Kuzoti mazuva matatu apera Josefi akati, “Ini ndinotya Mwari. Kana muchida kurarama chiitai zvandichareva. Kana muri vanhu vanovimbika mumwe wenyu ngaasare ari mujeri. Vamwe vose moenda zvenyu nezvokudya zvokundopa mhuri dzenyu dzine nzara, mozouya kwandiri nomunun'una wenyu wokupedzesera ndipo pachaonekwa kana zvamuri kutaura zviri zvechokwadi, murege kufa.” Vakaita saizvozvo. Vakataurirana pachavo vachiti, “Mazvionaka! Isu takapara mhaka pamusana pomunun'una wedu wataiona achitambudzika achiteterera isu tikarega kuita hanya naye. Saka nhasi uno zvatiwirawo.” Ipapo Rubheni akavati, “Muchiri kuyeuka here zuva riya randakati kwamuri regai kuitira mwana zvakaipa, mukaramba kunditeerera? Zvino maonaka ropa romunun'una wedu rava kutipfukira.” Vakanga vasingazivi kuti Josefi ainzwa zvavaitaurirana nokuti Josefi akanga achiturikirwa. Josefi akasuduruka akandosvimha misodzi. Akadzokazve akataura navo, akazotora Simeoni ndokumusunga, vamwe vose vachizviona. Josefi akarayira kuti tsapo dzavo dzizadzwe nembesanwa. Akatiwo mari yomumwe nomumwe idzoserwe mutsapo yake, vapiwewo mbuva yaparwendo. Vakaitirwa saizvozvo. Ipapo vakatakudza madhongi avo tsapo dzembesanwa vakapinda munzira. Kuzoti vasvika pavakarara, mumwe wavo akasunungura tsapo yake kuti ape dhongi rake zvokudya, wanei mari yake iri pamuromo wetsapo yake. Akataurira vamwe vake, achiti, “Ndadzoserwa mari yangu iyi, tarisai muone iyi iri pamuromo wetsapo yangu.” Vakarohwa nehana vakadedereswa nazvo. Vakataurirana vachiti, “Ko Mwari aitireiko kudai?” Pavakasvika kuna baba wavo Jakobho kuKanani vakavarondedzera zvose zvakanga zvaitika kwavari vachiti, “Murume watakaona'ku, changamire wenyika iyoyo akatijinyura achititi, tiri vasori vauya kuzoongorora nyika iyoyo. Asi isu takamuti, ‘Tiri vanhu vanovimbika hatisi vasori. Tiri vakomana gumi navaviri, vana vomunhu mumwechete. Asi mumwe wedu akatisiya. Munun'una wedu wokupedzesera akasara nababa vedu kuKanani.’ ” Ipapo murume iyeyo, changamire wenyika iyoyo akatiti, “Ini ndichaziva kuti muri vanhu vanovimbika kana masiya mumwe wenyu kuno. Imi vamwe mose motora zvenyu mbesanwa muende kundopa mhuri dzenyu dziri munzara. Mukauya nomunun'una wenyu wokupedzesera, ndipo pandichaziva kuti hamusi vasori, asi kuti muri vanhu vakavimbika. Ipapo ndichazokudzoserai mumwe wenyu, mozoita zvenyu mhindu dzokushava nadzo mari munyika ino.” Pavakanga vodurura mbesanwa dzavo, vakawana mutsapo yomumwe nomumwe muine mari yake yakapfundirwa papfundo. Ivo nababa wavo pavakaona mapfundo emari yavo vakarohwa nehana vakatya. Baba vavo, Jakobho vakati, “Zvino mandipedzera vana vangu. Josefi haasisipo. Simeoni haasisipo zvakare. Zvino munoda kutorazve Bhenjamini! Izvi zvose zvandiwira!” Rubheni akapindura baba vake achiti, “Kana ndikasadzoka naBhenjamini, urayai zvenyu vana vangu vakomana vari vaviri. Muisei mumaoko angu, ndini ndinodzoka naye kwamuri.” Asi Jakobho akati, “Mwana wangu haamboenda nemi. Mukoma wake akafa. Ndiye oga angosara. Dzimwe nguva angawane chinomuwana munzira. Kana mukadaro muchaita kuti ini ndachena musoro kudai ndisvike pakufa ndiine shungu mumwoyo.” Nzara yakaruma zvakanyanya panyika. Kuzoti zvokudya zvavakanga vabva nazvo kuIjipiti zvapera, baba vavo vakati kwavari, “Endaizve mundotitengera twokudya.” Asi Judha akavati, “Murume wacho akatikohomedza kuti, ‘Handidi kana kumbokuonai pano pandiri kana musina munun'una wenyu.’ Kana mukatibvumira kuenda nomunun'una wedu tichandokutengerai zvokudya. Asi mukaramba naye, isu hatingaende nokuti murume iyeyo akati, ‘Hamuzotenderwi kundiona kana musina munun'una wenyu.’ ” Iye Isiraeri ndokuti, “Makaitireiko zvakaipa zvikadai? Makanga muchamuudzireiko kuti mune munun'una?” Ivo vakati, “Murume iyeyo akatibvunzisisa kwazvo nezvedu nezvehama dzedu achiti, ‘Baba venyu vapenyu here? Mune mumwe munun'una here? Isu taingopindura zvatainge tabvunzwa chete. Ko taigoziva seiko kuti achazotiti uyai nomunun'una wenyu.’ ” Judha akati kuna baba vake Isiraeri, “Dai mukandipa zvenyu mwana uyu tipinde munzira tiende kuti tose imi nesu navana vedu tipone tirege kufa. Ini pachangu ndichamuchengeta. Chinenge chamuwana chawana ini. Kana ndikasadzoka naye ndichikupai ari mupenyu, mhosva ichava yangu upenyu hwangu hwose. “Dai tisina kunonoka, pari zvino tingadai takatodzokerako ruviri rwese.” Baba wavo Isiraeri vakavati, “Kana zvakadaro chidai izvi, mochitorawoka zvinhu zvakanaka zvatinazvo kuno motakura mutsapo dzenyu, moenda nazvo kundopa changamire iyeyo. Motakurawo twokuzora tunonhuhwira notuuchi namasiriridzi nemura neshomwe dzokudya namaarimondi. Takurai mari yakapetwa kaviri kuwanda. Dzokeraiko nemari yamakadzorerwa iya yakaiswa pamuromo wetsapo dzenyu, zvimwe vangadaro vakakanganisa, mutorewo munun'una wenyu musimuke muende, mudzokere zvenyu kumurume iyeyo zvakare. Iye Aripagomo ngaakubatsirei, murume wacho agokuitirai tsiye nyoro abvume kuti Simeoni naBhenjamini vadzoke pamwechete nemi. Kana ndarasikirwa navana vangu ndarasikirwawo.” Varume ava vakatora chipo ichi nemari yakapetwa kaviri kuwanda, pamwe chete naBhenjamini, vakasimuka vakaenda kuIjipiti kwavakasvika vakaonana naJosefi. Kuzoti Josefi aona vaina Bhenjamini, akaudza mutariri wezvemba yake achiti, “Enda navarume ava kumba kwangu undobaya chipfuwo ugadzire zvokudya. Varume ava vachadya neni masikati ano.” Mutariri uyu akaita zvaakaudzwa naJosefi, ndokuenda navo kumba kwaJosefi. Varume ivavo vakatya pavakaunzwa kumba kwaJosefi. Vakati, “Taunzwa kuno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mutsapo dzedu parwendo rwokutanga. Atiunza muno achida kuwana manzvengeredzero okutipomera mhosva achibva atisunga otiita varanda vake achibva atitorera madhongi edu.” Nokudaro vakaenda kumutariri wezvemba yaJosefi vakataura naye vari pamusuo wemba. Vakati, “Tapota changamire, takambouya kuno kuzotenga zvokudya asi takati tichisvika patakavata usiku, takasunungura tsapo dzedu, wanei mari iya yakanga yabviswa nomumwe nomumwe wedu iri pamuromo wetsapo yake yakangodaro nomwero wayo chaiwo. Zvino heinoi mari yacho tadzoka nayo. Asi hatizivi akaisa mari yacho mutsapo dzedu. Izvozvi totouya neimwe mari mumaoko kuzotenga zvokudya. Asi iya iya hatimboziva akaiisa mutsapo dzedu.” Mutariri uyu ndokuti, “Regai zvenyu kutambudzika. Musatye zvenyu. Mwari wenyu, iye Mwari wababa wenyu, ndiye chete akakuisirai mari mutsapo dzenyu. Mari yenyu ndini ndakanga ndaigamuchira.” Ipapo akabva avaunzira Simeoni. Mutariri uyu akapinda navo mumba maJosefi. Akavapa mvura, vakashamba tsoka dzavo. Akapawo madhongi avo zvokudya. Varume ivavo vakafanogadzirira zvipo zvavo vachimirira Josefi akanga anzi achauya masikati kuzodya navo. Josefi akazosvika mumba umu, varume ava vakandomugwadamira vachimupa zvipo zvavo. Josefi akavabvunza zvokumusha kwavo achiti, “Ko baba venyu vaya vamakati vakwegura vakadii zvavo? Vachiri vapenyu here?” Ivo vakati, “Muranda wenyu ivo baba vedu varipo zvavo, vapenyu vaya.” Vakagwadamira Josefi vachimuremekedza. Josefi akatarisa ndokuona Bhenjamini munun'una wake, buda ndibudewo naye akati, “Saka uyu ndiye munun'una wenyu wokupedzesera wamakandiudza nhai? Mwari ngaakunzwire nyasha mwanangu!” Pakarepo Josefi akanzwa mwoyo wake kurwadza pamusoro pomunun'una wake, akabva akurumidza kupinda mumba yomukati kundosvimha misodziari imomo. Akashamba kumeso kwake akabudamo. Akazvisimbisa ndokuti, “Pakurai zvokudya.” Vakapira Josefi zvokudya pake oga. Hama dzake dzakadyirawo padzo dzoga. VaIjipiti vaivamo vakadyirawo pavo voga, nokuti vaIjipiti pachavo vaiti kudya nevaHebheru, chinhu chakashoreka. Vakagara pakatarisana naJosefi vakanyatsorongwa namazero avo kubvira kudangwe kusvikira kugotwe zvokuti vakatotarisana vachishamiswa nazvo. Zvokudya zvaipakurwa zvichibva patafura yaJosefi. Asi Bhenjamini akapakurirwa zvokudya zvaidarika zvavamwe kakapetwa kashanu. Vakadya vakanwa vakafara pamwechete naye. Josefi akaraira mutariri wezvemba yake achiti, “Zadza tsapo dzavarume ava nezvokudya zvavanokwanisa kutakura, uise mari yomumwe nomumwe mumuromo wetsapo yake, uisewo kapu yangu iya yesirivha mumuromo wetsapo yegotwe racho pamwechete nemari nembesanwa dzake.” Mutariri akaita zvaakaudzwa naJosefi. Fume mangwana varume ava vakanzi vachienda zvavo namadhongi avo. Vachangobuda muguta vasati vaenda kure, Josefi akataurira mutariri wezvemba yake akati, “Tevera varume vaya, kana wavabata uti, ‘Seiko mandidzorera nechakaipa pane zvandakuitirai zvakanaka? Ko mazobireiko kapu yesirivha yatenzi wangu? Hamuzivi here kuti ndoinonwira tenzi wangu uye anoishandisawo pakuona zvichazoitika? Matopara mhosva huru kwazvo!’ ” Mutariri paakavabata akavaudza mashoko iwaya. Varume ava vakati, “Ko changamire, ishe wedu anotaurireiko mashoko akadaro? Isu varanda venyu hatingaite chinhu chakadaro. Inga wani mari yatakawana mumiromo yetsapo dzedu takadzoka nayo tichibva kunyika yeKanani. Ko taizoba seiko sirivha kana ndarama mumba matenzi wenyu? Ani naani wedu isu varanda venyu, anenge awanikwa anayo, ngaafe. Isu vamwe tichava varanda vatenzi wenyu.” Mutariri akati, “Ndizvozvo, tichaita zvamataura. Munhu wandichawana ane kapu iyoyo mutsapo yake, ndiye achava muranda wangu. Asi vamwe mose hamuzovi nemhosva.” Ipapo mumwe nomumwe akaburutsa tsapo yake, akaisunungura. Mutariri akatanga kutsvaka mutsapo yomukuru akazogumisira neyorugotwe. Kapu yakazowanikwa mutsapo yaBhenjamini. Izvozvi zvakaita kuti vabvarure hanzu dzavo. Mumwe nomumwe akatakudza dhongi rake vakabva vadzokera kuguta kuya. Judha navamwe vake vakasvikowana Josefi achiri mumba make, vakamugwadamira vachimuremekedza. Josefi akavati, “Ko ndicho chii chamaita ichochi? Ko manga musingazive here kuti munhu akaita seni anogona kuziva zvakavanzika.” Judha akati, “Tingati kudiiko kwamuri changamire? Ko tingataureiko iyo mhosva iri yedu? Mwari aisa pachena mhosva yedu. Saka isu tatova varanda venyu, iyesu pamwechete naiye awanikwa ane kapu yenyu.” Asi Josefi akati, “Handizi munhu angaite izvozvo. Munhu awanikwa ane kapu yangu ndiye chete achava muranda wangu. Imi vamwe mose endai zvenyu kuna baba venyu mufambe zvakanaka.” Judha akaswedera kuna Josefi akati, “Pamusoroi. Changamire regai zvenyu ini muranda wenyu ndimbotaurawo shoko muchinzwa nenzeve dzenyu, changamire. Musanditsamwire zvenyu nokuti imi makaita saFarao pachavo. Changamire, ndimi makatibvunza muchiti, ‘Muna baba here? Muno munun'una here?’ Isu ndokuti kwamuri changamire, ‘Tina baba vedu vave harahwa. Tine munun'una wedu akaberekwa baba vedu vatokwegura, asi mukoma wake akafa. Zvino uyu ndiye angosara ari oga mumba mamai vake. Baba vake vanomuda.’ Imi makatiudza isu varanda venyu kuti, ‘Uyai naye kwandiri ndinoda kumuona.’ Isu tikakupindurai changamire tichiti, ‘Mukomana iyeyo haangasiyane nababa vake nokuti kana akasiyana navo vangafe.’ Ipapo makatitaurira isu varanda venyu kuti, ‘Kana munun'una wenyu wokupedzesera asina kuuya nemi, handidi kana kukuonai pano pandiri.’ “Kuzoti tasvika kuna baba vedu, muranda wenyu, takavaudza zvamakanga mareva. Baba vedu pavakazoti, ‘Endaizve munotitengera twokudya,’ isu takati, ‘Hatingakwanise kuendako. Tingatoenda chete kana munun'una wedu achitoendawo nesu. Asi kana tisinaye, murume iyeyo haadi zvake kana kutiona pameso pake.’ Baba vedu, muranda wenyu, vakatiti, ‘Munoziva kuti mudzimai wangu Rakeri akandiberekera vana vaviri, mumwe akandisiya, ndikati akaparadzwa nezvikara chete kubvira ipapo handina kuzombomuonazve. Zvino kana mukanditorera zvakare Bhenjamini, kana akawana chinomuwana munenge maita kuti ini ndachena musoro ndisvike pakufa ndiine shungu mumwoyo.’ “Naizvozvo kana ndikadzokera kune muranda wenyu, ivo baba vangu, ndisina mukomana iyeyu wepamwoyo pavo wavanodisa zvikuru, pavanongoona kuti isu tinenge tisina mukomana iyeyu vanofa. Ivo varanda venyu tinobva takonzera kuti baba wedu, ivo muranda wenyu, vachena musoro vasvike pakufa vaine shungu mumwoyo. Ndinodaro nokuti muranda wenyu ini ndakatsidzira baba vangu kuti, ‘Kana ndisina kudzoka naye kwamuri ndini wacho ndichava nemhosva upenyu hwangu hwose.’ Saka ndinokumbira kuti ini muranda wenyu nditore nzvimbo yomwana uyu ndisare somuranda wenyu tenzi wangu, asi murege mukomana uyu aende zvake navakoma vake. Ko ndingaende seiko kuna baba vangu ndisina mukoma iyeyu? Handidi zvangu kuona kutambudzika kuchaita baba wangu.” Josefi akatadza kuzvisimbisa ari mberi kwavanhu vaivapo akadaidzira achiti, “Vamwe vanhu mose chimbobudai zvenyu panze.” Josefi akasara achizivisa kuvakoma navanun'una vake kuti iye ndiani. Akachema nezwi guru zvokuti vaIjipiti navanhu vomumuzinda waFarao vakamunzwa. Josefi akaudza vakoma navanun'una vake kuti, “Ndini Josefi! Baba vangu vachiri vapenyu here?” Vakoma navanun'una vake vakashaya romuromo nazvo ndokuti tuzu voshamiswa kuti inga chokwadi ndiye. Josefi akataurira vakoma navanun'una vake achiti, “Chiswederai zvenyu kuno.” Ivo ndokuswedera. Akati, “Ndini Josefi munun'una wenyu, wamakatengesa kuno kuIjipiti. Zvino regai zvenyu kusuruvara kana kuzvishatirirwa pamusana pokuti makanditengesa nokuti Mwari akafanondiunza kuno kuti ndibatsire kuchengetedza upenyu hwavanhu. Izvozvi tava mugore rechipiri renzara, asi kwasara mamwe makore mashanu achange asina munhu anozorima kana kukohwa. Asi Mwari akafanonditumira kuno kuti akuchengetedzerei chitsama chavanhu chinosara pasi pano uye, kuti pakati penyu vazhinji vapunyuke rufu zvinoshamisa. Saka hamusirimi makandiunza kuno, asi zvakaitwa naMwari. Ndiye akandigadza ndikava jinda guru raFarao. Ndini changamire mumuzinda wamambo. Ndini ndinotonga nyika yake yose yeIjipiti. “Chikurumidzai kuenda kuna baba vangu mundoti, ‘Zvanzi nomwana wenyu Josefi, Mwari akandiita changamire weIjipiti yose, uyai zvenyu kuno kwandiri, musanonoke. Mungazogara zvenyu mudunhu reGosheni, muve pedyo neni munozogarako navana navazukuru venyu nemombe dzenyu nezvimwe zvipfuwo zvenyu nezvose zvamunazvo. Ndichakuchengetai muri kuGosheni ikoko nokuti kuchine mamwe makore mashanu enzara. Mungadaro mukapinda muurombo imi nemhuri dzenyu nezvipfuwo zvenyu.’ “Handiti muri kuzvionera nameso enyu newewo Bhenjamini munun'una wangu kuti ndini Josefi chaiye ndiri kutaura nemi nomuromo wangu. Endai mundoudza baba wangu zvose zvoushe hwangu hwomuIjipiti. Vaudzeiwo zvose zvamaona mozokurumidza kuuya navo baba kuno.” Josefi akambundirana naBhenjamini munun'una wake akabva ahwihwidza kuchema, Bhenjamini ndokuhwihwidzawo. Ipapo Josefi akatsvoda vakoma vake vose achihwihwidza kuchema. Vakoma vake vakazokurukura naye. Shoko rakazosvikawo kumuzinda waFarao rokuti vakoma vaJosefi vakasvika. Farao namachinda ake vakafara kwazvo. Farao akati kuna Josefi, “Taurira vakoma vako kuti, ‘Chidaii izvi, takudzai madhongi enyu mudzokere kuKanani, mundotora baba venyu nemhuri dzenyu muuye kuno kwandiri ndichakupai pokugara pakanakisisa muno muIjipiti, mugowana zvokudya mugere zvakanaka.’ Uvatiwo, ‘Daii. Torai ngoro dzimwe dzomunyika ino yeIjipiti dzokutakurisa vana namadzimai enyu mundotora baba venyu muuye. Regai zvenyu kuita hanya nezvezvinhu zvenyu zvichasarako, nokuti muchawana zvinhu zvakanyanya kunaka zvomuno muIjipiti.’ ” Vanakomana ivava vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefi akavapa ngoro sezvaakanzi naFarao aite, akavapawo mbuva yaparwendo. Josefi akapa vakoma vake mumwe nomumwe hanzu itsva. Asi akapa Bhenjamini hanzu shanu itsva, nemari yamashekeri yesirivha inokwana mazana matatu. Akatumira baba vake madhongi gumi makono akanga akatakura zvinhu zvakanaka zvomuIjipiti. Akatakudzawo mamwe madhongi makadzi gumi mbesanwa nechingwa nezvokudya zvababa wake zvaparwendo. Josefi akaonekana nehama dzake, asi pavakasimuka akavati, “Regai kukakavadzana munzira.” Ipapo vakabva muIjipiti vakandosvika kunyika yeKanani kuna baba wavo Jakobho. Vakasvikoti, “Josefi achiri mupenyu! Ndiye ari kutonga nyika yose yeIjipiti!” Zvakaomesa Jakobho mate mukanwa nokuti haana kubvuma zvaakataurirwa. Jakobho akarondedzerwa zvose zvakanga zvarehwa naJosefi. Paakazoona ngoro dzakanga dzatumirwa naJosefi kuzovatakura, ndipo pakadzokazve simba rake. Isiraeri akati, “Zvatokwana izvozvi mwana wangu Josefi mupenyu! Ndinoda kuenda chete ndindomuona ndisati ndafa.” Isiraeri akarongedza zvose zvaakanga anazvo ndokupinda munzira. Paakasvika kuBheerishebha akapira chibayiro kuna Mwari waIsaki baba wake. Usiku ihwohwo Mwari akaratidza Jakobho chiratidzo, akamudaidza achiti, “Jakobho Jakobho!” Jakobho akati, “Ndiri pano.” Mwari ndokuti, “Ndini Mwari, Mwari wababa vako. Usatye hako kuenda kuIjipiti nokuti vana vako ndichavaita rudzi rukuru ikoko. Ndichaenda newe kuIjipiti, ndichazodzosazve vana vako kuno. Pakufa kwako Josefi ndiye achakudzora maziso achikupeta.” Jakobho akabva kuBheerishebha ndokupinda munzira. Vana vaJakobho vakakwidza baba wavo pamwechete namadzimai avo navana vavo mungoro dzakanga dzatumirwa naFarao kundovatakura. Vakaenda nezvipfuwo zvavo noupfumi hwose hwavakanga vawana munyika yeKanani, vakandosvika kuIjipiti. Jakobho akasvikako nemhuri yake yose, aine vana vake vakomana navasikana navazukuru vake vakomana navasikana. Akaenda nemhuri yake yose kuIjipiti. Haanoi mazita avana vaIsiraeri, Jakobho navanakomana vake vaakasvika navo kuIjipiti. Dangwe raJakobho ndiRubheni. Vanakomana vaRubheni ndiHanoki naParu naHezironi naKarumi. Vanakomana vaSimeoni ndiJemueri naJamini naOhadhi naJakini naZohari naShauru mwana womukadzi wechiKanani. Vanakomana vaRevhi ndiGerishoni naKohati naMerari. Vanakomana vaJudha ndiEru naOnani naShera naFerezi naZera. Asi Eru naOnani vakafira kunyika yeKanani. Vanakomana vaFerezi ndiHezironi naHamuri. Vanakomana vaIsakari ndiTora naPuwa naJobhu naShimuroni. Vanakomana vaZebhuruni ndiSeredhi naEroni naJahireeri. Ivava ndivo vanakomana vaRea vaakaberekera Jakobho achiri kuMesopotamia. Rea akaberekawo mwanasikana ainzi Dhina. Vana vaRea navazukuru vake vaiva makumi matatu navatatu. Vanakomana vaGadhi ndiZefoni naHagi naShuni naEzibhoni naEri naArodhi naAreri. Vanakomana vaAsheru ndiImuna naIshivha naIshivhi naBheria nehanzvadzi yavo Sera. Vanakomana vaBheria ndiHebheru naMarikieri. Ava ndivo vana navazukuru vaZiripa, uya akapiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake. Ziripa akaberekera Jakobho vana navazukuru gumi navatanhatu. Zvino vanakomana vaRakeri mudzimai waJakobho ndiJosefi naBhenjamini. Josefi ava munyika yeIjipiti akabereka Manase naEfuremu. Amai vavo ndiAsinati mwana waPotifera mupristi aigara muguta reOni. Vanakomana vaBhenjamini ndiBhera naBhekeri naAshibheri naJera kwouya Naamani naEhi naRoshi naMupimu naHupimu naAridhi. Ava ndivo vana navazukuru vaRakeri mudzimai waJakobho vose vari gumi navana. Mwanakomana waDhani ndiHushimu. Vanakomana vaNafutari ndiJazieri naJuni naJezeri naShiremu. Ivava ndivo vana vaBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake. Vose pamwechete akaberekera Jakobho vana vanomwe. Vanhu vose vokwaJakobho vakaenda Ijipiti, zvizvarwa zvake zvaiva makumi matanhatu ane vatanhatu kusingaverengwi varoora vaJakobho. Vanakomana vaJosefi vakaberekerwa kuIjipiti vaviri. Saka vanhu vose vemba yaJakobho vakatanga kugara muIjipiti vaiva makumi manomwe. Jakobho akafanotuma Judha kuna Josefi achiti Josefi azondosangana navo kuGosheni ndokubva vaenda zvavo kudunhu reGosheni. Ipapo Josefi akapinda mungoro yake akaenda kuGosheni kundochingura baba vake, Isiraeri. Akasvikoona baba vake akatora nguva ndefu akavambundira achihwihwidza kuchema. Isiraeri akazoti kunaJosefi, “Zvino ndingachifa zvangu nokuti ndakuona uri mupenyu!” Josefi akataura navakoma navanun'una vake navamwe vose vemba yababa vake achiti, “Ini ndava kundoudza Farao kuti, ‘Vakoma navanun'una vangu nemhuri yababa vangu vaye vaigara kunyika yeKanani vauya kwandiri.’ Basa rehama dzangu idzodzo nderokupfuwa zvipfuwo. Zvino vauya nemombe nezvimwe zvipfuwo zvavo nezvose zvavaiva nazvo. Kana imi mazodaidzwa naFarao achikubvunzai kuti, ‘Basa renyu ndereiko?’ Imi itii, ‘Isu varanda venyu takagara tichingova vanhu vokupfuwa zvipfuwo kubvira pahuduku hwedu kusvikira zvino iyesu tose namadzibaba edu.’ Kana madaro Farao achakubvumirai kugara mudunhu reGosheni,” nokuti vaIjipiti vakanga vakarimirana kumuganho nomunhu wose anoita basa rokupfuwa zvipfuwo. Josefi andozvisvitsa kuna Farao achiti, “Baba vangu navakoma navanun'una vangu vasvika vachibva kunyika yeKanani, vaine zvipfuwo zvavo nezvinhu zvavo zvose. Iye zvino vava kuGosheni.” Josefi akatora vamwe vakoma vake vashanu, akenda navo kuna Farao. Farao akabvunza vakoma vaJosefi achiti, “Ko basa renyu ramunoziva kuita nderei?” Ivo vakati kuna Farao, “Basa redu isu varanda venyu nderokupfuwa zvipfuwo. Ndiro raiitwawo namadzibaba edu.” Vakatiwo kuna Farao, “Isu varanda venyu tauya kuzombogarawo munyika menyu muno nokuti hatichisina mafuro ezvipfuwo zvedu, kuKanani kwaita nzara huru kwazvo, zvino tinokumbirawo kuti tigare zvedu mudunhu reGosheni.” Farao akati kuna Josefi, “Baba vako navakoma vako vauya kwauri. Nyika yeIjipiti ndiyoyi yose yauri kuona iyi. Hama dzako ngadzigare zvadzo padzinoda pakadzinakira munyika ino. Ngavagare zvavo kudunhu reGosheni. Kana uchiziva kuti pane vamwe vavo nyanzvi dzamabasa vape ukuru pabasa rokuchengeta zvipfuwo zvangu.” Josefi akazoenda nababa vake Jakobho kundovaratidza kuna mambo Farao. Jakobho akakomborera Farao achimukwazisa. Mambo akabvunza Jakobho achiti, “Ko imi mava namakore manganiko?” Jakobho akati kuna Farao, “Ini ndagara panyika ndiri munhu wokuti zvangu apa garei tamei apa garei tamei kwezana namakumi matatu amakore. Makore anga ari okutambura asi mashoma zvawo pane amadzimababa angu vakanga vari vanhu vokutama-tamawo.” Jakobho akakomborera mambo akamuoneka ndokuenda zvake. Josefi akaita zvakarehwa naFarao, akapa baba vake nehama dzake pokugara munyika yeIjipiti. Akavapa matunhu akanaka kwazvo pedyo neguta rainzi Ramasesi. Josefi akariritira baba vake navakoma vake navanhu vose vemba yababa vake nepwere dzavo achivapa zvokudya zvaikwanirana nemhuri imwe neimwe. Zvino munyika yose makanga musisina zvokudya nokuti nzara yakanga yazotsviriridza kwazvo. Nyika yeIjipiti nenyika yeKanani dzakanga dzapera nenzara. Zvino nokutenga kwavakaita mbesanwa kudai, Josefi akakukuta mari yose yaiwanikwa muIjipiti nomuKanani achiitutira kumba kwaFarao. Kuzoti vanhu vomuIjipiti nevemuKanani vapererwa nemari, vaIjipiti vose vakauya kuna Josefi vakati, “Tipeiwo zvokudya, mari yedu yapera. Tofa here imi makatarisa?” Josefi akati, “Kana mari yenyu yapera uyai nemombe dzenyu tigotsinhana nezvokudya.” Saizvozvo vakauya nezvipfuwo zvavo zvaiti mabhiza nehwai nemombe namadhongi kuna Josefi, Josefi akavapawo zvokudya. Naizvozvo akakwanisa kuvapa zvokudya gore iroro rose achitsinhanisana navo nezvipfuwo zvavo. Gore iroro parakapera, ramangwana racho vanhu vakauyazve kwaari vachiti, “Changamire, hatingakuvanzirei kuti mari yedu yose yapera. Matanga edu ose ezvipfuwo ava enyu changamire. Hatichisina chokutenga nacho isu, chasara kwatiri miviri yedu neminda yedu. Ko tofa here imi makatarisa? Ko minda yedu yoparara zvayo here pamwe chete nesu? Chititengai zvenyu, mutengewo minda yedu mutipe zvokudya tive zvedu varanda vaFarao, minda yedu ive yake. Chenyu imi tipeiwo zvokudya tirege kufa. Mutipewo mbeu dzokudyara muminda yedu, irege kuita renje.” Nokudaro Josefi akatenga nyika yose yeIjipiti ikabva yava yaFarao nokuti vaIjipiti vose vakatengesa minda yavo pamusana penzara yakanga yavabaya chaizvo nyika ndokubva yava yaFarao. Josefi akabvisa vanhu mumisha yavo munyika yose yeIjipiti achiti vagare mumaguta. Asi minda yavapristi ndiyo chete yaasina kutenga nokuti Farao aivapa nguva nenguva mugove wavo wavakatemerwa. Mugove uyu wavaipiwa naFarao ndiwo wavairarama nawo. Ndosaka vapristi vasina kutengesa minda yavo. Josefi akazotaurira vanhu achiti, “Nhasi uno ndakutengai imi neminda yenyu kuti muve varanda vamambo. Hedzino mbeu dzokudyara muminda. Kana mazokohwa, pamasaga mashanu munozounza saga rimwechete kuna mambo. Asi masaga mana achasara acho ndeenyu. Ndimo mamuchazowana mbeu dzokudyara nezvokudya zvenyu nezvemhuri dzenyu nepwere dzenyu.” Vanhu vakati, “Changamire ndimi matotiponesa. Tiitirei zvenyu tsiye nyoro tive zvedu varanda vaFarao.” Naizvozvo Josefi akaisa mutemo munyika yeIjipiti uripo nanhasi wokuti kana munhu akohwa masaga mashanu, rechishanu nderamambo. Asi minda yavapristi ndiyo yoga isina kutengwa namambo. VaIsiraeri vakagara munyika yeIjipiti mudunhu reGosheni, mhuri yavo yakawana upfumi huzhinji varimo, vakabereka vana vakawanda kwazvo. Jakobho akagara munyika yeIjipiti makore gumi namanomwe. Akazofa ava namakore zana namakumi manomwe ana makore manomwe. Nguva yaIsiraeri yokufa payakanga yava kuda kusvika, akadaidza mwana wake Josefi akati, “Ndapota kana uchindida isa ruoko rwako pasi pechidya changu utsidze kuti uchava wakatendeka kwandiri uvewo pachokwadi neni, usandivige muno muIjipiti, asi ndivige pakavigwa madzibaba angu. Unonditakura kubva muIjipiti muno wondondiviga kunzvimbo yavo yokuviga vakafa.” Josefi akati, “Ini ndichaita sokureva kwenyu.” Jakobho akati, “Nditsidzire izvozvo.” Josefi ndokuvatsidza. Ipapo Jakobho akanga ari pamubhedha wake akabva atsikitsira musoro. Kuzoti kwati perei chinguva Josefi akaudzwa kuti baba vake varwara, nokudaro akaendako navanakomana vake vaviri Manase naEfuremu. Jakobho paakanzwa kuti mwana wake Josefi auya akazvisimbaradza akamuka akaita zvokugara pamubhedha. Jakobho akataurira Josefi achiti, “Iye Aripagomo akazviratidza kwandiri paRuzi kuKanani akandikomborera. Akanditiwo, ‘Ndichakupa vana vazhinji, ndigokuitai kuti muwande zvokuita madzinza namadzina avanhu. Ndichapa zvizvarwa zvako zvichauya nyika ino kuti ive yavo nokusingaperi.’ “Zvino vanakomana vako vaviri vakaberekerwa muno muIjipiti ndisati ndauya kuno vava vana vangu. Vana vako ava Efuremu naManase, vava vana vangu chaivo zvakangoita Rubheni naSimeoni. Asi vawakazoberekerwa mushure mavo, ndivo vachava vana vako. Nhaka yavo vanotozoiwana muzita ravakoma vavo ivavo. Ndinodaro nokuti pandaibva kuMesopotamia, amai vako Rakeri vakandifira panzira munyika yeKanani tava kuda kundosvika kuEfurati, ndiyowo Bheterehemu, ndikavaviga ipapo.” Isiraeri paakaona vana vaJosefi vakomana akati, “Ko ava ndivananaaniko ava?” Josefi akati kuna baba vake, “Ava ndivo vana vangu vandakapiwawo naMwari muno umu.” Iye akati, “Chiuya navo kuno ndivakomborere.” Meso aIsiraeri akange oonera madzerere asisaone zvakanaka nokuti akanga akwegura. Josefi akaswededza vana vake pana baba vake. Jakobho akavatsvoda achivafungatira. Jakobho akataurira Josefi achiti, “Handina kufunga kuti ndichazokuonazwe. Asi Mwari akandibatsira ndikatoonawo navana vako.” Josefi akazovabvisa pamakumbo ababa vake akabva apfugama akakotamisa musoro. Josefi akauya navana vake vari vaviri akati Efuremu kurudyi, Manase kuruboshwe. Akavaisa pana baba vake Isiraeri akati Efuremu kuruboshwe rwavo Manase kurudyi rwavo. Isiraeri akapesanisa maoko ake achiisa ruoko rwake rworudyi pamusoro waEfuremu aiva muduku, akaisa ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase aiva dangwe. Jakobho akakomborera Josefi achiti, “Mwari aiteverwa namadzibaba angu Abhurahamu naIsaki, Mwari akava mufudzi wangu muupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi, iye mutumwa waMwari aindinunura pose pandainge ndawirwa nenjodzi, ngaakomborerewo vakomana ava. Zita rangu namazita amadzibaba angu Abhurahamu naIsaki ngaarege kurova pavana ivava. Mwari ngaavape vana vazhinji.” Josefi paakaona baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufadza. Akabata ruoko rwababa vake achida kurubvisa pamusoro waEfuremu kuti aruise pamusoro waManase Josefi akati, “Handizvo baba, uyu ndiye dangwe. Dai maisa ruoko rwenyu rworudyi pamusoro wake.” Asi baba vake vakaramba vakati, “Ndinoziva zvandiri kuita mwanangu. Iye achazovawo dzinza guru ravanhu. Asi munun'una wake ndiye achava mukuru kupinda iye. Vana vaEfuremu vachava ndudzi zhinji dzavanhu.” Jakobho akavakomborera pamusi iwoyo achiti, “VaIsiraeri vachakomborerana vachiti, ‘Mwari ngaakuitei saEfuremu naManase.’ ” Naizvozvo Jakobho akapa Efuremu ukuru hunopfuura hwaManase. Jakobho akarayira Josefi achiti, “Ini ndava kufa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yemadzibaba enyu. Iwe ndinokupa mumwe mugove wandisingape vakoma nevanun'una vako. Ndinokupawo dunhu reShikemu randakatora pandakarwisa vaAmori nebakatwa rangu nouta hwangu.” Jakobho akakokorodza vanakomana vake akati, “Chiunganai pano mose ndikuudzei zvichazoitika kwamuri mune ramangwana. Unganai nuteerere imi vana Jakobho, munzwe zvandava kutaura ini Isiraeri baba wenyu. Rubheni, ndiwe dangwe rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, wandakabereka ndichiri kuzvinzwa. Pasimba napakukudzwa ndiwe wapamusoro. Unovhaira semvura iri kuvira, asi hauzovi mukuru nokuti wakapinda iwe mumba mangu, ini baba ukan'oresa pandinorara, uchitoenda zvako pauriri hwangu. “Simeoni naRevhi mukoma nomun'una, zvombo zvehondo zvavo ndezvokumutsisa musindo chete. Pabangano ravo handitsikipo, handina chandinoronga navo, nokuti vakauraya vanhu vakashatirwa. Vakacheka marunda emombe, vachiita zvoutsinye zvavo. Mwari ngaarange kutsamwa kwavo, nokuti kunotyisa. Ngaarange hasha dzavo nokuti dzinovaitisa utsinye. Ndichati mumwararire zvenyu muzvizvarwa zvaJakobho muti mwarara zvenyu mukati mavaIsiraeri. “Iwe Judha, ndiwe ucharumbidzwa nehama dzako. Uchadzipa huro dzavavengi vako uchivakurira, vana vababa vako vachakugwadamira. Judha mwana weshumba chaiyo, anobata nyama achibva adzokera kubako rake, ondozorora zvake akazvambarara. Seshumba hadzi hakuna angashinge kumumutsa. Tsvimbo youshe haizobvi pana Judha. Haazotorerwa nyembe youmambo, kusvikira muridzi wenyembe asvika. Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera. Achasungirira dhongi rake pamugirepisi achasungirira chigondora chake chedhongi pamugirepisi wakanaka kwazvo, hanzu dzake achisuka zvake muwaini, zvipfeko zvake achisuka muwaini yakati piriviri kutsvuka. Meso ake achatsvuka kunge waini, meno ake agochena kuti mbe-e somukaka. “Zebhuruni achava mugari wokumahombekombe kwegungwa. Nyika yake ichava yokusvikira ngarava, muganhu wake uchisvika kuSidhoni. “Isakari idhongi chairo kusimba, sedhongi riri pakati pemitoro yaro. Paachaona kuti agere panyika yakanaka nyika inomufadza kwazvo, achabvuma zvake kutakura mutoro pamapfudzi. “Dhani achavawo mutongi wavanhu vake, sezvichangoitawo mamwe madzinza evaIsiraeri. Dhani achaita senyoka iri panzira, senyoka inouturu iri panofamba vanhu, inoruma bhiza nechepazondo raro, mutasvi waro achiwira pasi negotsi. Tenzi we-e ini ndamirira ruponeso rwenyu. “Gadhi acharwiswa namagandanga, asi iye achatsikirirana nawo kutevera. “Asheru achawana zvokudya, zvokudya zvakawanda zvakanaka, zvinotodyiwawo kwazvo namadzimambo. “Nafutariwo ungati isheshe yenondo inotamba-tamba zvayo, inoberekawo mhuru dzakanaka. “Josefi akaita sembizi imire pachisipiti, ungati imbizi iri mujinga megomo. “Mhandu dzake dzinomurwisa zvinotyisa, dzichimudzingirira nouta nemiseve. Asi uta hwaJosefi hunoramba hwakatsigirwa. Maoko ake achiramba akasimbaradzwa, nesimba raiye Samasimbaose, waJakobho ndiye mufudzi ndiye bako raIsiraeri. Mwari wababa vako ngaakubatsire, iye Aripagomo akukomborere. Akukomborere nokukunayisira mvura, akupewo mvura inobva muvhu. Ngaakomborere madzimai enyu agobereka vana vavanozoyamwisa, akomborerewo zvipfuwo zvenyu zvigobereka vana vokuyamwisa. “Makomborero andakupa ini baba vako anopfuura makomborero anobva mumakomo epasi chigare. Anopfuura zvinokosha zviri mumakomo okugara nokugara. Ndiwo makomborero achava aJosefi, akasarudzwa naMwari kutungamirira vakoma vake. “Bhenjamini mhumhi chaiyo inorura, inobata nyama mangwanani, manheru yogara pasi kuigovanisa.” Iwaya ose ndiwo madzinza gumi namaviri evaIsiraeri. Mashoko aya ndiwo akataurwa nababa wavo achivakomborera, achipa mumwe nomumwe chikomborero chakakodzerana naye. Jakobho akazorongera vana vake achiti, “Nguva yangu yokuti ndichiendawo kwakaenda vamwe vokwangu yava kusvika. Munofanira kuzondiviga pane madzibaba angu, mubako riya riri mugura raEfuroni worudzi rwechiHiti.” Ndiro bako riya riri mugura kuMakipera riri nechokumabvazuva kweMamure, munyika yeKanani, rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda wacho kuna vaEfuroni muHiti ikava nzvimbo yavo yokuviga vanhu. Ipapo ndipo pakavigwa Abhurahamu nomudzimai wake Sara. Isaki nomudzimai wake Ribheka vakavigwawo ipapo. Rea ndakazomuvigwawo ipapo. Munda wacho nebako ririmo zvakatengwa kuvaHiti. Kuzoti Jakobho apedza kurongera vana vake akarara pamubhedha wake, ndiye sarai oendawo kwakaenda vamwe. Pakarepo Josefi akazviwisira pamubhedha paiva nababa vake akavatsvoda achihwihwidza kuchema. Josefi akarayira vanhu vaiita basa rokuomesa zvitunha kuti vanyatsoomesa chitunha chababa vake Isiraeri. Vanhu ivavo vakaita saizvozvo. Basa rokuomesa chitunha raida mazuva makumi mana. Saka ava vakaomesa chitunha chaIsiraeri vakapedza mazuva makumi mana vachiita basa racho. VaIjipiti vakachema Jakobho mazuva makumi manomwe. Kuzoti mazuva okuvachema apera, Josefi akataura namachinda aFarao achiti, “Kana mandinzwirawo tsitsi ndisvitsireiwo shoko kuna mambo Farao muchiti, baba vangu vakati, ‘Ini ndava kufa. Ndine guva rangu randakagadzira riri kunyika yeKanani. Zvino iwe nditsidzire kuti uchazondiviga muguva iroro.’ Saka zvino ndibvumireiwo kuti ndiende kundoviga baba vangu ndigozodzoka zvangu kuno.” Farao akati, “Enda zvako undoviga baba vako sokutsidzirana kwawakaita navo.” Josefi akaenda kundoviga baba vake. Akwirako namakurukota ose aFarao namachinda ake navakuru vakuru vose vemuIjipiti. Akaendawo navanhu vose vemba yake nehama dzake navamwe vemhuri yababa vake. Asi vana vavo nezvipfuwo zvavo zvose ndizvo zvakasara kuGosheni. Vakaenda vaine ngoro dzehondo dzamabhiza navachairi, vari boka guru guru kwazvo. Vakasvika paburiro repaAtadhi riri kumhiri kwaJorodhani, vakachema vari ipapo vachiungudza nokuchema kukuru. Josefi akapedza mazuva manomwe ari ipapo achingochema baba vake. Vanhu venyika iyoyo, vaKanani pavakaona muchemero iwoyo waiitwa paburiro repaAtadhi, vakati, “Aiwa kuchema kuri kuitwa navaIjipiti kwakakura zvisingatauriki.” Naizvozvo vakatumidza buriro racho zita rokuti Kuchema kwavaIjipiti. Buriro iroro riri kumhiri kwaJorodhani. Vana vaJakobho vakaita zvavakanga varayirwa nababa wavo. Vakavatakura vakaenda navo kunyika yeKanani. Vakandovaviga nechokumabvazuva kweMamure mubako romugura repaMakipera, guru rakatengwa naAbhurahamu kuna Efuroni muHiti riri pakatarisana nokuMamure kuti rive nzvimbo yavo yokuviga vanhu. Josefi akaviga baba vake ndokudzokera kuIjipiti pamwechete nehama dzake navose vakanga vaenda naye. Vakoma vaJosefi zvavakaona kuti baba vavo vafa vakakurukurirana vachiti, “Zvimwe Josefi achiri kutivenga, zvimwe ari kuronga twaanoronga kutsiva zvakaipa zvose zvatakamuitira, hatizive.” Naizvozvo vakatumira Josefi shoko vachiti, “Baba venyu vakasiya vati mundoudza Josefi kuti, ‘Ndinokumbira kuti uregererewo vakoma vako zvitadzo nezvakaipa zvavakaita nokuti vakakuitira zvakaipa.’ Saka isu varanda vaMwari wababa venyu tinoti, tapota tiregerereiwo zvatakutadzirai.” Vakoma vake vakazouyawo vakamugwadamira vachiti, “Onai isu tiri varanda venyu.” Josefi akavati, “Musatye zvenyu. Ko munoti ini ndiri Mwari here? Kunyange zvazvo imi makandiitira bangano rakaipa, Mwari akarishandisa kuita zvakanaka zvaaida zvokuponesa vanhu vazhinji, sezvazviri nhasi uno. Naizvozvo musatye zvenyu. Ini ndichakuchengetai mose navana venyu.” Josefi akavanyaradza achitaura mashoko okuvadzikamisa mwoyo. Josefi nemhuri yababa vake vakagara muIjipiti, akazofa ava nezana ramakore rina makore gumi. Josefi akaona vana navazukuru vaEfuremu. Akaonawo vana vaMakiri mwanakomana waManase vakaberekwa achiripo. Josefi akazotaurira hama dzake kuti, “Ini ndava kufa. Asi Mwari achakushanyirai, achazokutamisai munyika ino agoenda nemi kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho.” Josefi akataurira vaIsiraeri kuti, “Ichokwadi kuti Mwari achakushanyirai. Saka imi tsidzai kuti muchatakura mutumbi wangu muchiendawo nawo.” Josefi akafa ava nezana ramakore rine makore gumi. Vanhu vakaomesa chitunha chake vakachiisa mubhokisi muIjipiti imomo. Haanoi mazita avaIsiraeri vakaenda kuIjipiti naJakobho, mumwe nomumwe nemhuri yake. Kwaiti Rubheni naSimeoni naRevhi naJudha, kwoti Isakari naZebhuruni naBhenjamini naDhani, kwouya Nafutari naGadhi, naAsheru. Vana vose vaJakobho pamwechete navazukuru vake, vaikwana makumi manomwe. Josefi akatenge avako kuIjipiti kare. Josefi akazofa, vakoma vake vose vakafawo pamwechete navamwe vose vechizvarwa chavo. Asi vana vokwaIsiraeri vakaramba vachingoberekana vachiwanda zvikuru, vakazova rudzi rune simba vakatekeshera nenyika yose yeIjipiti. Kwakazomuka mambo mutsva aitonga muIjipiti akanga asingazivi nezvaJosefi. Akayambira vanhu vake achiti, “Tarisai muone vaIsiraeri vanyanyisa kuwanda uye vava nesimba rawandisa kudarika isu. Zvino ngatitsvakei zano rokuti varege kuramba vachiwanda kudai. Ndinodaro nokuti musi unomuka hondo yokutirwisa, vachazoita rimwe navavengi vedu voita chirwirangwe chokutirwisa vakazotiza munyika ino.” Naizvozvo vaIjipiti vakazoisa vanhu vokushandisa vaIsiraeri basa rinorema rechibharo rokuvarwadzisa. VaIsiraeri vakabatwa zvakaipa vachimanikidzwa kuita mabasa airema zvikuru. Vakavakira Farao maguta ematura. Maguta acho ainzi Pitomu neRamesesi. VaIsiraeri pavaioneswa ndondo kudaro, ndipo pavakatonyanya kuwanda nokutekeshera nenyika yose iyoyo. Pamusana paizvozvi vaIjipiti vakatya vaIsiraeri zvikuru, vakavaendesa kuchibharo. Vakavaomesera upenyu pabasa ravo rezvidhina nerokukanya ivhu namabasa akasiyana-siyana omuminda. Pamabasa ose iwayo, vaivashandisa zvechibharo. Mambo weIjipiti akataurira Shifura naPua vanyamukuta vaigamuchira vana paipona madzimai echiHebheru kuti, “Kana mava kubatsira madzimai echiHebheru anenge ava pakusununguka, mukaona kuti mwana wacho mukomana, ibvai mamuuraya. Asi kana ari musikana, musamuuraye.” Vananyamukuta ivava vaiva vanhu vaitya Mwari. Havana kuita zvavakanga vaudzwa namambo weIjipiti, asi vakarega vana vakomana vari vapenyu. Mambo weIjipiti akazodaidza vananyamukuta ava akati, “Nhai imi! Ko makaitirei zvakadai izvi? Makaregerereiko vana vakomana vari vapenyu?” Vananyamukuta ava vakapindura Farao vachiti, “Madzimai echiHebheru haana kufanana namadzimai echiIjipiti, nokuti madzimai echiHebheru akagwinya kwazvo zvokuti vananyamukuta vanozosara zvavo vosvika, ivo vatosununguka kare.” Naizvozvo Mwari akaitira vananyamukuta ava zvakanaka. VaIsiraeri vakaramba vachiwanda vakasimba. Pamusana pokuti vananyamukuta ivava vaitya Mwari, Mwari akavapa mhuri. Farao akabva audza vanhu vake vose achiti, “Mwana mukomana upi noupi anenge aberekwa mukati mavaHebheru, mukandei murwizi, muna Nairi, asi vana vasikana vose, varegei vari vapenyu.” Nguva iyoyo mumwe murume wemba yokwaRevhi akaroora mwana womuRevhi. Mudzimai wake akava napamuviri ndokubereka mwana mukomana. Paakaona kuti mwana wake mwana akanaka kwazvo, akamuhwandisa kwemwedzi mitatu. Paakazoona kuti haachagona kuramba akamuvanza, akatora tswanda yakarukwa nenhokwe, akainama netara nenamo, ndokuisa mwana wake imomo, akandoisa tswanda iyi mutsanga, kumahombekombe aNairi. Hanzvadzi yomwana uyu yaimutarisa iri chinhambwe kuti ione chingangoitika kwaari. Zvino mukunda waFarao akadzika kurwizi kuzoshamba muviri. Vasikana vaimushandira vaiva naye vaifamba munyasi memahombekombe erwizi. Mukunda waFarao akaona tswanda iya iri mutsanga, akatuma mumwe musikana aimushandira kundoitora. Mukunda waFarao paakakudubura tswanda iyi akaona mune mwana mucheche akanga achichema. Akamunzwira tsitsi akati, “Mwana uyu mwana womuHebheru chete.” Ipapo hanzvadzi yomwana uyu yakauyapo ikati kumukunda waFarao, “Ko ndingakudaidzirei zvangu here mureri pavakadzi vechiHebheru wokukuyamwisirai mwana uyu?” Mukunda waFarao akati, “Ee, enda zvako.” Musikana uyu akaenda akandodaidza amai chaivo vomwana iyeyo vokumubereka. Mukunda waFarao akati kwavari, “Torai mwana uyu, mundiyamwisirewo ndichakupai mubayiro wenyu woureri.” Ivo vakatora mwana vakandomurera. Mwana akakura, vakaenda naye kumukunda waFarao, akabva amuita mwana wake. Akamutumidza zita rokuti Mosesi nokuti aiti, “Mwana uyu ndakamunyurura mumvura.” Rimwe zuva, Mosesi akura, zvakaitika kuti akaenda kundoona vanhu verudzi rwake vaHebheru. Akaona mabasa anorema avaiitiswa, akaonawo muIjipiti achirova muHebheru. Mosesi akaringa-ringa ndokuona kuti hapana mumwe munhu akanga aripo, ndokubva auraya muIjipiti uyu ndokumufushira mujecha. Mangwana acho, Mosesi akaenda kwakare, ndokuona vaHebheru vaviri vachirwa. Mosesi akatsiura akanga akanganisa achiti, “Ko uri kurovereiko hama yako?” Murume iyeyo akati, “Ndiani akakuita ishe nomutongi wedu iwe? Heya unoda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya nhai!” Mosesi akatya akati, “Inga zvandakaita zviya zvava kutozikanwa!” Farao akazozvinzwa akada kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza, akandogara munyika yeMidhiani. Akasvika pakanga paine tsime, ndokugara zvake pasi. Zvino muMidhiani maiva nomupristi, akanga ana vana vake vasikana vanomwe. Vasikana ivava vakauya vakateka mvura vakaizadza mainwira zvipfuwo kuitira kuti zvinwe. Kwakauyawo vamwe vafudzi vakavadzinganisa. Asi Mosesi akasimuka akandonunura vasikana ava, akanwisa zvipfuwo zvavo. Pavakadzokera kuna baba vavo Reueri baba ivavo vakati, “Ko nhasi makurumidziswa nei kudai?” Vakati, “Tanunurwawo nomumwe muIjipiti, adzinga vafudzi. Atotitekerawo mvura akapa zvipfuwo zvedu kuti zvinwe.” Baba vakati kuvana vavo, “Ko zvino munhu wacho ari kupi? Mamusiyireiko? Endai mumudaidze awane chokudya.” Mosesi akagutsikana kugara nomurume uyu. Iye akazopa Mosesi mwana wake Zipora kuti ave mukadzi wake. Zipora akabereka mwana mukomana, Mosesi akatumidza mwana wake zita rokuti Gerishomu achiti, “Ini ndiri mutorwa zvangu munyika yavamwe.” Nokufamba kwamazuva mambo weIjipiti akafa. VaIsiraeri vakaramba vachidandaura nenhamo youranda. Vakachema vachida kununurwa. Kuchema kwavo nhamo youranda kwakasvika kudenga kuna Mwari. Mwari akanzwa kudandaura kwavo nenhamo ndokurangarira chitenderano chaakaita naAbhurahamu naIsaki naJakobho. Mwari akatarisa vaIsiraeri akaita hanya navo. Mosesi aifudza hwai nembudzi dzavatezvara vake vainzi vaJetero vaiva mupristi wokuMidhiani. Rimwe zuva Mosesi akaenda nezvipfuwo izvozvo kumadokero kwerenje akandosvika kugomo raMwari rinonzi Horebhu. Ipapo mutumwa waTenzi akazviratidza ari murimi romoto raiva mugwenzi. Mosesi akatarira akaona kuti gwenzi raibvira moto, asi rakanga risingaroti. Mosesi ndokuti, “Regai ndiendepo ndione chishamiso chikuru chakadai chokuti seiko gwenzi richibvira moto asi risingabva rarota.” Tenzi paakaona kuti Mosesi ari kuswederapo kuzoona, Mwari akadaidzira kwaari ari mugwenzi iroro achiti, “Mosesi! Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano!” Mwari ndokuti, “Rega kuswedera pedyo. Chitobvisa shangu dzako nokuti paumire ipapo inzvimbo inoera. Ndini Mwari wamadzitateguru ako. Ndini Mwari waAbhurahamu, ndini Mwari waIsaki, ndini Mwari waJakobho.” Mosesi akabva afukidza chiso chake achitya kutarisa Mwari. Tenzi ndokuti, “Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuti vari kuoneswa nhamo navanhu vari kuvashandisa. Ndinoziva nhamo dzavo dzose. Zvino ndaburuka kuzovanunura mumaoko evaIjipiti. Ndichavabvisa muIjipiti ndichindovaisa kunyika huru yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. Zvino chinzwa, kuchema kwevaIsiraeri ndakunzwa, uye ndaona kutambudzwa kwavari kuitwa navaIjipiti. Saka zvino chiuya ndikutume kuna Farao, kundoburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti.” Asi Mosesi akati kuna Mwari, “Pangu pano! Ndiri aniwo zvangu ndingabva ndaenda kuna Farao kundoburitsa vaIsiraeri muIjipiti?” Mwari akati, “Ini ndichava newe. Hechino chiratidzo chinoratidza kuti ndini ndakutuma. Kana wandoburitsa vanhu vangu muIjipiti, muchauya monamateni Mwari pano pagomo rino irori.” Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?” Mwari akapindura Mosesi achiti, “Ndiri iye wandiri. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ndiri ndiye andituma kwamuri.” Mwari akataurirazve Mosesi achiti, “Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ‘Tenzi, Mwari wamadzitateguru enyu, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu narini narini. Zvizvarwa zvenyu zvose zvichandidaidza nezita irori. “Enda undokokorodza vakuru vakuru vevaIsiraeri uvati, ‘Tenzi Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho, akazviratidza kwandiri. Akati ndakakushanyirai ndikaongorora zvose zvamuri kuitwa navaIjipiti.’ Ndinotsidza kuti, ‘Ndichakuburitsai muIjipiti mamuri muuranda ndichikuendesai kunyika yakanaka inoerera mukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi.’ “VaIsiraeri vachateerera zvaunoreva. Iwe navakuru vakuru vevaIsiraeri mozoenda kuna mambo weIjipiti, mundoti, ‘Tenzi, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu. Saka tinokumbira kuti mutibvumirewo kufamba rwendo rwamazuva matatu murenje, kundopira Tenzi, Mwari wedu mupiro.’ Ndinoziva zvangu kuti mambo weIjipiti haakubvumirei kuti muende, kusatoti aita zvokumanikidzwa. Naizvozvo ini noruoko rwangu ndichatoita zvokushandisa simba ndichirova Ijipiti namanenji ose andichaita mukati mavo. Mambo ndopaachazobvuma kuti muende zvenyu. “Ndichaita kuti vaIjipiti vakuitirei zvakanaka, nokudaro pamunozoenda, hamuzoendi musina chamunacho. Ipapo mudzimai mumwe nomumwe ngaakumbire zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu apiwe nomudzimai wechiIjipiti waanogarisana naye mumba kana pamana, apfekedze vana vake vose zvinhu izvozvo. Ndiko kupamba kwamuchaita upfumi hwevaIjipiti.” Mosesi akapindura achiti, “Ko, kana vaIsiraeri vakaramba kubvuma zvandichareva vasinganditeereri vachiti, ‘Inhema, Tenzi haana kuzviratidza kwauri, panozoitwa sei?’ ” Tenzi akamuti, “Ko chii chaunacho muruoko icho?” Akati, “Itsvimbo.” Mwari ndokuti, “Ikande pasi.” Akaikanda pasi ikasanduka ikava nyoka Mosesi ndokubva ava kuitiza. Tenzi akati kuna Mosesi, “Tambanudza ruoko rwako uibate nokumuswe kwayo.” Mosesi akaibata ikava tsvimbo zvakare. Mwari ndokuti, “Kana ukandoita izvozvi vaIsiraeri vachabvuma kuti ndakazviratidza kwauri ini Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu. Ndini Mwari waAbhurahamu naMwari waIsaki, naMwari waJakobho.” Tenzi akatizve, “Isa ruoko rwako muhanzu dzako nechapadundundu pako.” Mosesi akaisa ruoko rwake muhanzu nechapadundundu. Paakaruburitsa, akaona rwangoti mbe-e kuchena, rwava namaperembudzi. Mwari akati, “Isazve ruoko rwako muhanzu dzako nechapadundundu pako.” Mosesi akaita saizvozvo, akazoruburitsa wanei rwanyatsopora, rwaita sezvakangoitawo muviri wake. Mwari akati, “Kana vachinge varamba kubvuma zvauchareva, kana kugamuchira chiratidzo chokutanga, zvimwe vachanzwa zvinoreva chiratidzo chechipiri. Kana vakaramba kugamuchira zviratidzo izvi zviri zviviri, kana kuramba kunzwa zvauchareva, teka mvura muna Nairi uidururire pasi pakaoma mvura iyoyo yaunenge wateka muna Nairi ichasanduka kuva ropa pasi ipapo.” Mosesi akati kuna Tenzi, “Tenzi wangu, ini handigoni kunyatsotaura. Hazvisi zvanhasi chete, ndakangobvira kare ndakadai, kanawo pamanga muchitaura neni ndizvo ndizvo. Ini ndinondandama nokutaura ndichikakama.” Tenzi akati kwaari, “Ko ndianiko akasika muromo womunhu? Ko ndiani anoita kuti munhu ave mbeveve kana matsi? Ndiani anopa munhu maziso, kana kumupofomadza? Handiti ndini iyeni Tenzi here? Saka zvino chienda. Ini ndichakubatsira pakutaura kwako. Ndichakurayiridza zvokutaura.” Asi Mosesi akati, “Ndapota zvangu Tenzi wangu, tumai zvenyu mumwe munhu!” Ipapo Tenzi akashatirirwa Mosesi akati, “Inga mukoma wako Aroni, muRevhi, ariko wani! Ndinoziva kuti iye anogona kutaura zvakanaka. Chiteerera unzwe, izvozvi ari kutouya kuzokuchingura, paachakuona achafara zvikuru. Iwe unofanira kumuudza zvokundotaura. Paunenge uchitaura iwe, napaanenge achitaurawo iye, ndichakubatsirai ndichikurayiridzai zvokuita. Ndiye anenge achikusvitsira mashoko kuvanhu, ari iye muromo wako. Iwe unenge wakaita saMwari kwaari. Chienda wakabata tsvimbo iyi, ndiyo yauchaita nayo zviratidzo zvinoshamisa.” Mosesi akadzokera kuna vatezvara vake vaJetero ndokusvikoti, “Ndibvumireiwo kudzokera kuIjipiti kundoona hama dzangu kuti vapenyu here.” Jetero akati kuna Mosesi, “Zvakanaka, enda hako.” Mosesi paakanga achiri kunyika yeMidhiani, Tenzi akataura kwaari achiti, “Chidzokera zvako kuIjipiti nokuti vanhu vose vaida kukuuraya vakafa.” Nokudaro Mosesi akatora mudzimai wake navana vake vakomana akavakwidza padhongi, ndokubva vapinda munzira kudzokera kuIjipiti. Mosesi akatora tsvimbo yaMwari akaenda akaibata muruoko. Tenzi akati kuna Mosesi, “Zvino kana wadzokera kuIjipiti, ibva wandoitira Farao pameso pake zvishamiso zviya zvose zvandakakupa simba rokuita. Asi ndichaita kuti Farao aomese mwoyo, arege kubvumira vaIsiraeri kubva munyika make. Iwe unofanira kundotaurira Farao kuti, ‘Zvanzi naTenzi: Isiraeri ndiye mwanakomana wangu wedangwe. Zvino ndinoti rega mwanakomana wangu Isiraeri aende kundondinamata. Asi iwe uri kuramba. Chinzwa, ini ndichaurayawo mwanakomana wako wedangwe.’ ” Vari pane imwewo nzvimbo pavakavata vachiri murwendo, Tenzi akasangana naMosesi akada kumuuraya. Ipapo Zipora mudzimai waMosesi akatora ibwe rinopinza akadzingisa mwanakomana wake. Akagunzva kumakumbo kwaMosesi nenhengo yaakanga abvisa pakudzingisa ikoku achiti, “Zvechokwadi ndichinemi somurume wangu nokuda kweropa iri.” Mwari ndokubva amuregera. Chakakonzera mudzimai uyu kuti ati, “Ndichinemi somurume wangu nokuda kweropa iri,” kwaiva kudzingisa ikoku. Tenzi akataurira Aroni kuti, “Enda undochingura Mosesi kurenje.” Aroni akandosangana naMosesi pagomo raMwari, akamukwazisa achimutsvoda. Mosesi akaudza Aroni mashoko aTenzi aakatumwa nawo kuIjipiti, akamutaurirawo zviratidzo zvose zvaakaudzwa kundoita. Mosesi naAroni vakaenda vakandokokorodza vakuru vakuru vose vavaIsiraeri. Ipapo Aroni akavaudza mashoko ose akanga ataurirwa Mosesi naTenzi, akaita zviratidzo zvose zviya vaIsiraeri vachiona, Vanhu vakabva vabvuma. Pavakanzwa kuti Tenzi akashanyira vaIsiraeri, akaonawo kutambudzika kwavo, vakakotamisa misoro kwaari vakapfugama kumunamata. Mosesi naAroni vakazoenda kuna Farao vakapira nyaya yavo vachiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari vavaIsiraeri, regai vanhu vangu vaende kurenje kundondiitira mabiko.” Asi Farao akati, “Ko Tenzi iyeyo ndiani chaizvoizvo wandinganzi ini nditeerere, ndigorega vaIsiraeri vachienda? Tenzi wacho handimuzivi. Saka ini handibvumirewo vaIsiraeri kuenda.” Ivowo vakapindura vachiti, “Mwari wevaHebheru akasangana nesu. Dai mukatirega zvenyu tifambe rwendo rwamazuva matatu tichienda kurenje tindopira Tenzi, Mwari wedu mipiro. Kana tikarega kuzviita angatiuraye nedenda kana kutiparadza nehondo.” Mambo weIjipiti akati, “Ko iwe Mosesi newe Aroni, imhaka yei muchifurira vaIsiraeri kuti varege kuita basa ravo? Imi dzokerai kubasa.” Farao akati, “Imi muri kuona kuti iye zvino vanhu vechirudzi mawanda muno ndopamava kutoda zvenyu kutadzisa vanhu kuita basa.” Musi iwoyo Farao akaudza vaIjipiti vaishandisa vaIsiraeri basa, navamwe vaIsiraeri vaitungamirira vamwe pabasa achiti, “Chiregai kunge muchapa vanhu ava mashanga okukanyisa zvidhina sezvamanga muchiita. Varegei vazvitsvakire mashanga voga. Asi mugwazo wezvidhina wavakatemerwa ngaurambe wakadaro, musautapudze kunyange napaduku pose. Vanhu ava itsimbe, ndokusaka vachichema vachiti, ‘Regai tiende kundopira Mwari wedu zvibayiro.’ Remedzai vanhu ava nebasa kuti vaite basa varege kuteerera zvokunyepa izvo.” VaIjipiti vaya vaishandisa vaIsiraeri basa pamwechete navamwe vaIsiraeri vaitungamirira vamwe pabasa vakandotaurira vaIsiraeri kuti, “Zvanzi naFarao, ‘Handichakupai mashanga. Endai mundozvitsvakira moga chero kupi zvako kwamungaawanire. Asi mugwazo wenyu uchangoramba wakadaro.’ ” Saizvozvo vaIsiraeri vakaita fararira nenyika yose yeIjipiti vachitsvaka zvidzitsi zvamashanga muminda. Vaya vaishandisa vaIsiraeri vakaramba vachivaomesera vachiti, “Pedzai mugwazo wenyu wezuva roga roga sezvamaingoita muchapiwa mashanga.” VaIjipiti vaya vaishandisa vaIsiraeri vakarova vaIsiraeri vaye vakanga vasarudzwa kutungamirira vamwe pabasa vachiti, “Chii chakutadzisai kupedza mugwazo wenyu wezvidhina wanhasi sezvamaimboita?” VaIsiraeri ava vaitungamirira vamwe pabasa vakandochema kuna Farao vachiti, “Changamire, ko matifungira zvipiko? Isu varanda venyu hatichapiwi mashanga, asi kunyange zvakadaro, tinongonzi, ‘Kanyai zvidhina!’ Chionaika kuti tiri kurohwa isu, asi mhosva iri yavanhu venyu.” Mambo akati, “Muri nyope chaidzo, tsimbe dzavanhu. Ho-o-o, ndosaka muchiti, ‘Regai tiende tindopira zvibayiro kuna Tenzi nhai.’ Chibvai pano! Dzokerai kubasa! Mashanga hamupiwe! Mugwazo wezvidhina wamakapiwa unofanira kupera.” VaIsiraeri ava vokutungamirira vamwe pabasa, vakaona kuti vatova munjodzi huru pavakanzi, “Mugwazo wenyu wezvidhina wamazuva ose hauzotapudzwa.” Pakarepo vakasangana naMosesi naAroni vakanga vakavamirira kuti vaonane navo pakubuda kwavo vachibva pana Farao. Vakavati, “Tenzi ngaakuonei, aone zvaangaite nemi nokuti imi mazotivengesa kwazvo naFarao namakurukota ake. Makaisa bakatwa mumaoko avo kuti vatiuraye zvavo naro.” Mosesi akaendazve kuna Tenzi akandoti, “Nhai Tenzi, ko makaitira vanhu venyu zvakaipa zvikadai nemhosva yeiko? Ko zvino makanditumireiko kuno? Tarisai muone kubvira pamusi wandakaenda kuna Farao kundomuudza zvamakareva, Farao akabva atangawo kuitira vanhu venyu utsinye. Asi imi hamuna zvenyu kana kumbonunura vanhu venyu.” Asi Tenzi akapindura Mosesi achiti, “Zvino chirega zvako uone zvandichaita kuna Farao iyeyu. Achavaburitsa aona simba roruoko rwangu. Pamusana pesimba rangu iroro achatoita zvokuvadzinga munyika yake.” Mwari akazotaurirazve Mosesi achiti, “Ndini Tenzi, ndakazviratidza kuna Abhurahamu naIsaki naJakobho ndichizviti Aripagomo, asi handina kunge ndavaudza zita rangu rokuti Yahweh. Ini ndakaitawo chitenderano changu navo ndichiti, ‘Ndichavapa nyika yeKanani mavaimboita zvokugara vachiti apa garei, tamei apa garei tamei.’ Ndanzwawo kudandaura nenhamo kuri kuita vaIsiraeri vari kuitiswa uranda navaIjipiti ndokubva ndarangarira chitenderano changu. Naizvozvo udza vaIsiraeri kuti, ‘Ini ndini Tenzi uye ndini ndichakusunungurai pajoko rinorema ramuri kutakudzwa navaIjipiti.’ Ndichakununurai muuranda ihwohwo. Ndichakudzikinurai nesimba rangu guru, ndichiranga vaIjipiti zvinorwadza. Ndichakuitai vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu. Kana ndakununurai muuranda muIjipiti, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi, Mwari wenyu. Ndichakuunzai kunyika yandakatsidzira Abhurahamu naIsaki naJakobho ndichiti ndichazovapa, naizvozvo ndichakupai nyika iyoyo kuti ive nhaka yenyu. Ndini Tenzi.” Mosesi akandoudza vaIsiraeri saizvozvo, asi havana kumuteerera nokuti mwoyo yavo yakanga yasviba pamusana penhamo yavaioneswa muuranda. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Enda undotaurazve namambo weIjipiti kuti ngaarege vaIsiraeri vabude munyika yake vaende zvavo.” Asi Mosesi akataura pana Tenzi achiti, “Ko inga vaIsiraeri chaivo havana kunditeerera wani? Zvino iye Farao ndopaangabva anditeererawo iyeniwo zvangu ndisingagoni kutaura!” Tenzi ndokutaurira Mosesi naAroni achiti, “Udzai vaIsiraeri namambo weIjipiti kuti ndini ndakakutumai kuzoburitsa vaIsiraeri muIjipiti.” Ava ndivo vakuru vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, vanakomana vaRubheni dangwe raJakobho ndiHanoki naParu naHezironi naKarimi. Iwaya ndiwo madzitateguru omudzinza rokwaRubheni. Vanakomana vaSimeoni ndiJemueri naJamini naOhadhi naJakini naZohari naShauro mwanakomana womudzimai wake wechiKanani. Ndivo madzitateguru omudzinza rokwaSimeoni. Haanoi mazita avanakomana vaRevhi vakazova madzitateguru omudzinza ravo: Kunoti Gerishoni naKohati naMerari. Revhi akazofa ava namakore zana namakumi matatu ana manomwe. Vanakomana vaGerishoni ndiRibhini naShimei vari mhuri nemhuri. Vanakomana vaKohati ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri. Kohati akagara zana ramakore rina makore makumi matatu ana matatu. Vanakomana vaMerari ndiMahiri naMushi. Ivava ndivo madzitateguru omudzinza rokwaRevhi. Amuramu akaroora Jokebhedhi vatete vake. Ndivo vakamuberekera Aroni naMosesi. Amuramu akagara zana ramakore rina makore matatu ana manomwe. Vanakomana vaIzhari ndiKora naNefegi naZikiri. Vanakomana vaUzieri ndiMishaeri naErizafani naSitiri. Aroni akaroora Erishebha, hanzvadzi yaNahishoni mwana waAminadhabhu. Ndiye akamuberekera Nadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. Vanakomana vaKora ndiAsiri naErikana naAbhiasafu. Ivava ndivo madzitateguru omumhuri yokwaKora. Ereazari mwanakomana waAroni akaroora mwana waPutieri ndokubereka Finehasi. Ivava ndivo madzitateguru omudzinza rokwaRevhi mhuri nemhuri. Ivava ndivo vanaAroni naMosesi vacho vakatumwa naTenzi kundoburitsa vaIsiraeri munyika yeIjipiti. Ivava, ndivo vanyakutaura naFarao, mambo weIjipiti kuti aregedze vaIsiraeri vaende, Mosesi iyeyu naAroni wakareyu. Tenzi paakataura naMosesi munyika yeIjipiti, akati, “Ndini Tenzi! Enda undoudza Farao mambo weIjipiti zvinhu zvose zvandinokutaurira.” Asi Mosesi akataura ipapo pana Tenzi achiti, “Tarisaika muone kuti ini kutaura handinyatsogona. Zvino munoti Farao anganditeererewo here?” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ini ndakuita saMwari kuna Farao. Mukoma wako Aroni achava somuporofita wako. Iwe uchange uchitaurira mukoma wako Aroni zvose zvandinokuudza, iye achitaurirawo Farao, kuti arege vaIsiraeri vabude muIjipiti. Ini ndichaita kuti Farao aomese mwoyo wake zvokuti kunyange ndikaita zviratidzo nezvishamiso zvakawanda zvikadii zvazvo munyika yeIjipiti, Farao acharamba kunzwa zvamunoreva. Ndipo pandicharova Ijipiti ndichiiranga neshamhu inorwadza kwazvo ndichizoburitsa muIjipiti hondo dzangu dzavanhu, vanhu vangu vaIsiraeri. Pandinorova Ijipiti ndichibvisa vaIsiraeri pakati pavo, vaIjipiti ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.” Mosesi naAroni vakaita sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTenzi, vakaita naimomo chaimo. Mosesi akanga ava namakore makumi masere, Aroni aina makumi masere namatatu panguva yavakataura naFarao. Tenzi akataurirazve Mosesi naAroni achiti, “Kana Farao akati, ‘Itai chishamiso chinoratidza kuti matumwa naMwari,’ iwe iti Aroni akande tsvimbo yake pasi, isanduke igova nyoka, ipapo pana Farao achizviona.” Naizvozvo Mosesi naAroni vakaenda kuna Farao vakaita zvavakanga varayirwa naTenzi. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi, tsvimbo ikasanduka ikava nyoka, Farao namachinda ake vachizviona. Farao akadaidzawo magodobori ake, nyanzvi dzamapipi nen'anga. Magodobori omuIjipiti aya akabva aitawo izvozvo zvamapipi. Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi, ikasanduka ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo dzose. Kunyange zvakadaro, Farao akaomesa mwoyo wake akaramba kuteerera Mosesi naAroni sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Farao aomesa mwoyo ari kuramba kuti vaIsiraeri vaende. Iwe enda kuna Farao mangwanani undosangana naye paachaenda kurwizi kuna Nairi. Umumirire pamahombekombe arwo wakabata mumaoko tsvimbo yako iya yakambosanduka ikava nyoka. Undoti kwaari, ‘Tenzi, Mwari wavaHebheru, akandituma kwamuri neshoko rinoti rega vanhu vangu vaende kundondinamata murenje. Asika, kusvikira pari nhasi hauna kunditeerera.’ Zvino, zvanzi naTenzi, ‘Muchazoziva kuti ini ndini Tenzi nokuda kwezvandichaita zvino. Ndicharova mvura iri muna Nairi netsvimbo yandakabata, mvura ichasanduka ichiva ropa. Hove dzose dzirimo dzichafa, mvura yacho ichanhuhwa kuti kutu. Saka vaIjipiti vachasema kunwa mvura yomuna Nairi.’ ” Tenzi akatiwo kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uitambanudzire pamusoro pemvura yose yeIjipiti, pamusoro penzizi dzavo nemigero yavo namadhamu avo namadziva avo ose isanduke ive ropa. Richava ropa chete munyika yose yeIjipiti, mumidziyo yakavezwa nomumidziyo yamabwe.’ ” Mosesi naAroni vakaita zvakanga zvataurwa naTenzi. Aroni akasimudza tsvimbo iya akarova mvura yomuna Nairi Farao namachinda ake vachiona, mvura yose yomurwizi ikasanduka ikava ropa. Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, Nairi rukava gutukutu kunhuhwa vaIjipiti vakatadza kunwa mvura yacho. Munyika yose yeIjipiti rakanga rangove ropa chete. Asi n'anga dzeIjipiti dzakagonawo kuita izvozvo namashiripiti adzo. Naizvozvo Farao akaramba akaomesa mwoyo, achiramba kuteerera Mosesi naAroni, sokutaura kwakanga kwaita Tenzi. Farao akabva adzokera zvake kumba kwake asina hanya kunyange nezvizvi. VaIjipiti vose vakandochera matsime munhivi dzaNairi vachitsvaka mvura yokunwa. Mvura yomurwizi yakanga isisanwiki. Kwakapera mazuva manomwe ose Tenzi arova mvura yomuna Nairi. Tenzi ndokubva ataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao undoti zvanzi naTenzi, ‘Rega vanhu vangu vaende vandondinamata. Chinzwa, kana ukavarambidza kuenda, ndichapa nyika ino dambudziko rebvakanyira ramatafi. Nairi urwu ruchazara kuti shutu namatafi. Achabudamo achindopinda mumba mako nomumba mako mokuvata, napamubhedha wako nomudzimba dzamachinda ako nedzavanhu vako nemaunokanyira zvingwa nemaunozvibikira. Matafi achakwakukira pauri iwe napavanhu vako napamachinda ako ose.’ ” Tenzi akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira tsvimbo yako pamusoro penzizi nemigero namadziva kuti matafi auye panyika yeIjipiti.’ ” Naizvozvo Aroni akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro pemvura yeIjipiti, matafi akabuda akabva aita bvakapfaka kuzara nyika yeIjipiti yose. Asi n'anga dzakaitawo izvozvo namashiripiti adzo dzikaburitsa matafi mumvura akaenda munyika yeIjipiti. Farao akadaidza Mosesi naAroni akati, “Ndikumbirireiwo kuna Tenzi kuti andibvisirewo zvangu ini navanhu vangu, matafi aya, ini ndigobvumidzawo vaIsiraeri kundopira zvavo Tenzi chibayiro.” Mosesi akataurira Farao achiti, “Ndichaita zvamareva. Ko ndokunamatirai rini, imi namachinda enyu navanhu venyu kuti mubvisirwe matafi, abve mudzimba dzenyu, asare muna Nairi chete?” Iye ndokuti, “Ita izvozvo mangwana!” Mosesi akati, “Tichaita saizvozvo. Ndipo pamuchazoziva kuti hakuna mumwe mwari angafananidzwe naTenzi, Mwari wedu. Matafi achabviswa kwamuri. Achabviswa mudzimba dzenyu, nedzamachinda enyu nedzavanhu venyu. Achangosara muna Nairi chete.” Mosesi naAroni vakabva pana Farao paya. Mosesi akachema kuna Tenzi sokubvumirana kwaakanga aita naFarao achimukumbira kuti abvise matafi aakanga aunza kuna Farao. Tenzi akaita zvakanga zvakumbirwa naMosesi. Matafi akapera kufa mudzimba nomuzvivanze nomuminda. VaIjipiti vakaaunganidza vachiita matutu matutu, nyika ikati kutu kunhuhwa. Sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi, Farao paakaona kuti dambudziko iri rapera, akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Iti Aroni atambanudze tsvimbo yake arove nayo pasi patibuke guruva rive umhutu munyika yose yeIjipiti.” Vakaita saizvozvo. Aroni akatambanudza ruoko rwake rwaiva netsvimbo yake ndokurova ivhu pasi, umhutu hukati uya tiende pavanhu nemhuka. Guruva rose rakanga rava umhutu munyika yose yeIjipiti. N'anga dzakaita mashiripiti adzo. Dzakaedzawo kuita umhutu dzikatadza. Umhutu ihwohwo hwaiva pose pose huchimomotera vanhu nezvipfuwo. N'anga idzi dzakanyevera Farao dzichiti, “Changamire, Mwari bedzi ndiye aita izvi.” Sokureva kwakanga kwaitwa naTenzi, Farao akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni. Tenzi akati kuna Mosesi, “Mangwana, fumoenda kuna Farao undosangana naye paanenge achienda kurwizi, uti zvanzi naTenzi, ‘Rega vanhu vangu vaende vandondinamata. Kana ukavarambidza kuenda, ndichaunza bute renhunzi, dzichamomera pauri iwe namachinda ako, navanhu vako, dzichizaridzana mudzimba dzavaIjipiti, dzichiitawo fararira napasi. Asi musi iwoyo, zvandichaita kudunhu reGosheni kugere vanhu vangu ndichazvisiyansisa nokumwe. Mapute enhunzi acho haasviki ikoko. Ndipo pauchazoziva kuti ini Tenzi ndiri mukati menyika ino. Zvandichaitira vanhu vangu zvichasiyana nezvandichaita kuvanhu vako. Chiratidzo ichi ndichachiita mangwana.’ ” Tenzi akaita izvozvo. Nhunzi dzakazaridzana mumba maFarao nomudzimba dzamachinda ake nomunyika yose yeIjipiti. Nyika yose ikasemesa namapute enhunzi. Farao akadaidza Mosesi naAroni akati, “Endai zvenyu mupire Mwari wenyu zvibayiro, asi muri munyika muno.” Asi Mosesi akati, “Hatingadaro nokuti zvibayiro zvatichapira Tenzi, Mwari wedu, hazvidiwi navaIjipiti. Zvino tikapira Tenzi zvibayiro vaIjipiti vachiona, handiti vangatishatirirwe vakatitema namabwe tikafa. Regai tiende rwendo rwamazuva matatu murenje, tindopira Tenzi, Mwari wedu zvibayiro nokuti ndizvo zvaakatirayira.” Farao akati, “Ndinokubvumirai kundopira Tenzi, Mwari wenyu muri murenje, asi regai kuenda kure. Mundinamatirewo.” Mosesi akati, “Zvakanaka, ini ndichabva pano ndichindokumbira Tenzi kuti mangwana mapute enhunzi abve pana Farao namakurukota ake navanhu vake. Asi dai mambo mukarega kuita zvakare zvokutibata zvenyu kumeso imi muchizorambidza zvenyu vaIsiraeri kundopira Tenzi zvibayiro zvavo.” Mosesi akabva pana Farao akandonamata kuna Tenzi. Tenzi akaita zvakakumbirwa naMosesi akabvisa mapute enhunzi pana Farao namachinda ake navanhu vake. Hakuna kana nenhunzi imwechete yakasara. Kunyange ipapa, Farao akaomesa mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vaende. Tenzi akati kuna Mosesi, “Enda kuna Farao uti kwaari, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari wavaHebheru, rega vanhu vangu vaende, vandondinamata.’ Kana ukasavabvumidza, uchirambira zvako navo, ini Tenzi noruoko rwangu ndicharova nedenda rinorwadza kwazvo zvipfuwo zvako zvinoti, mabhiza namadhongi nengamera nemombe nembudzi nehwai. Asi ini Tenzi, handizoita kuzvipfuwo zvavaIsiraeri zvandichaita kuzvipfuwo zvavaIjipiti. Hapana kana chipfuwo chavaIsiraeri chichafa.” Tenzi akatema nguva yacho achiti, “Mangwana ndiro zuva randichaita izvozvo munyika ino.” Mangwana acho Tenzi akafumoita zvaakareva, mombe dzose dzavaIjipiti dzakapera kufa, asi mombe dzavaIsiraeri hapana kana imwechete yakafa. Farao akatuma vanhu kundoona mombe dzavaIsiraeri, wanei pasina kunyange neimwechete yadzo yakafa. Asi Farao akaramba akaomesa mwoyo, asingadi kuti vaIsiraeri vaende. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Endai munokore dota muchoto, Mosesi arimwaye mudenga Farao achiona. Dota racho richambumuka richipararira nenyika yose yeIjipiti. Vanhu nezvipfuwo vachaita mamota anoputika achiita maronda anotyisa.” Saizvozvo vakatora dota pachoto vakaenda naro kuna Farao. Mosesi akamwaya dota riya mudenga rikabva raitisa vanhu nemhuka mamota. N'anga dziya dzakatadza kusvika paiva naMosesi nokuti naidzowo n'anga dzacho pamwechete navaIjipiti vose vakanga vanyenga mamota. Asi Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo. Farao akaramba kuteerera Mosesi naAroni sokutaura kwakamboita Tenzi kuna Mosesi. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Mangwana, fumira kuna Farao undoti, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari wevaHebheru rega vanhu vangu vaende kundondinamata nokuti rwendo runo kana ukasadaro ndichakuonesa nhamo dzinokurwadza mwoyo iwe pamwechete namachinda ako navanhu vako. Ndipo pauchazoziva kuti pasi pano pose, hapana mumwe akaita seni. Pari zvino ndingadai ndakatounza zvangu denda raizorova iwe navanhu vako muchitodai makapera mose pasi pano. Asi ini ndakakurega uri mupenyu ndichida kukuratidza simba rangu, uye kuti mukurumbira wangu unzwike pasi pose. Iwe uri kuramba uchingozvikudza zvako, hausiri kuda kubvumidza vanhu vangu kuenda. Chinzwa, mangwana nenguva dzino ndichanayisa chimvuramahwe chinotyisa, chisati chamboonekwazve muIjipiti kubvira pakuvamba kwayo kusvikira iye zvino. Saka zvino tuma vanhu vakokorodze zvipfuwo zvako, vaunganidzewo zvinhu zvako zvose zviri kunze. Vanhu vose nezvipfuwo zvose zvichazenge zviri kunze, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramahwe zvikafa.’ ” Mamwe machinda aFarao akatya zvakarehwa naTenzi, akaudza varanda vawo kuti vatenhere zvipfuwo mudzimba naivowo vauye kumba kuzohwanda. Asi vamwe vakanga vasina hanya nezvakarehwa naTenzi, vakarega zvavo varanda vavo nezvipfuwo zvavo zviri kumafuro. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudza ruoko rwako unongedze kudenga chimvuramahwe chinaye munyika yose yeIjipiti, chichiwira pavanhu napazvipfuwo napasora rose romunyika yeIjipiti.” Mosesi ndokubva anongedza tsvimbo yake kudenga. Tenzi akaunza kutinhira kukuru nechivhuramahwe, mheni dzikarova pasi. Tenzi akanayisa chimvuramahwe panyika yeIjipiti. Kwakaita chivhuramahwe ipapo, mheni ichingovaima mukati mechivhuramahwe imomo, chivhuramahwe chakawanda kwazvo, chisati chambonaya kudaro munyika yose yeIjipiti kubvira payakavamba kuva norudzi rwaigaramo. Chivhuramahwe chakarova munyika yose yeIjipiti. Chakarova zvinhu zvose zvaiva kumafuro, vanhu nezvipfuwo nezvirimwa zvose muminda nokutyoranisa miti yose musango. Asi kudunhu reGosheni kwaigara vaIsiraeri, ndiko kwoga kusina kusvika chivhuramahwe. Ipapo Farao akatuma vanhu kundodaidza Mosesi naAroni achiti, “Rwendo runo, ndakatadza zvikuru. Tenzi ndiye mururami, ini navanhu vangu ndisu vatadzi. Tikumbirireiwo kuna Tenzi nokuti kutinhira kwemheni yaMwari nechimvuramahwe zvanyanya. Zvino ndava kukubvumirai kuenda, handichakurambidzai.” Mosesi akati kwaari, “Kana ndangobuda muguta muno, ndichasimudza maoko angu kuna Tenzi. Ipapo kutinhira kwemheni kuchanyarara, chimvuramahwe chichibva chapera. Ndipo pamunozoziva kuti pasi pano pose ndepaTenzi. Asi ndinoziva kuti imi namachinda enyu hamusati zvenyu mava kutya.” Minda yebhari yakanga yatumbuka, nemindawo yekamuti kanosvuurwa shinda yefurakisi yakanga yava namaruva, zvose zvakaparadzwa. Asi koroni neimwe iya yesipereti haina kuparadzwa nokuti yakanga isati yatumbuka. Mosesi akabva paiva naFarao, akabuda muguta umu, ndokusimudza maoko ake kuna Tenzi. Kutinhira kwemheni nechivhuramahwe zvakabva zvanyarara, mvura ichibva yakasa. Asi Farao paakaona kuti mvura nechivhuramahwe zvakasa uye kutinhira kwemheni kwanyarara, akaita chitadzo zvakare iye namachinda ake vakaramba vakaomesa mwoyo. Sokureva kwakaita Tenzi nomuromo waMosesi, Farao akaomesa mwoyo akaramba kubvumidza vaIsiraeri kuti vaende. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao nokuti ndaita kuti aomese mwoyo, iye namachinda ake kuti ndiite zviratidzo zvangu pakati pavo. Ndinodawo kuti imi vaIsiraeri muzokwanisa kukurukurira vana venyu navazukuru venyu, vachinzwa nenzeve dzavo kupusisa kunorwadza kwandakaita vaIjipiti nezviratidzo zvandakaita pakati pavo, mugoziva kuti ini ndini Tenzi.” Mosesi naAroni vakaenda kuna Farao vakandoti, “Zvanzi naTenzi, Mwari wevaHebheru, ‘Iwe ucharamba kuzvirereka kwandiri kusvikira riniko? Rega vanhu vangu vaende vandondinamata nokuti kana ukaramba kuti vanhu vangu vaende, ndichaunza mhashu munyika mako mangwana. Mhashu dzacho dzichazara zvokufukidza nyika yose zvokuti pasi hapazoonekwa. Dzichadya zvakasara muminda zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe, dzichidyawo miti yenyu yose yomuminda. Mhashu dzichati farara mumba mako nomudzimba dzamachinda ako, nedzevaIjipiti vose, zvisina kumboonekwa namadzibaba kana namadzisekuru ako chingo chavakauya panyika kusvikira pari nhasi.’ ” Ipapo Mosesi akafuratira Farao ndokuenda. Machinda aFarao akamuti, “Munhu uyu acharamba achititambudzisa kusvikira riniko? Zviri nani kuti murege vaIsiraeri vaende zvavo vandonamata Tenzi, Mwari wavo. Ko nazvino wose hamusi kuonawo here kuti kutoparara kuri kuita nyika yeIjipiti ikoku?” Ipapo Mosesi naAroni vakabva vadzorwa kuna Farao. Iye akavati, “Chiendai zvenyu mundonamata Tenzi, Mwari wenyu. Ko zvino vachaenda ndivanaaniko?” Mosesi akati, “Tichaenda tose vakuru navaduku. Tichatakura vana vedu vakomana navasikana. Tichaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvedu zvose nokuti tiri kundoita mabiko chaiwo okupemberera Tenzi.” Mambo akavatsanangurira achiti, “Kana zvikaitika kuti ndikubvumidzei kuenda zvenyu navana venyu, kubva Tenzi wacho iyeyo ngaave nemika. Chionaika zvamuri kuronga zvakaipa kwazvo. Hazvimboitika! Vanhurume chete ndivo vachaenda kundonamata Tenzi. Inga ndizvo zvamanga muchida wani!” Pakarepo Mosesi naAroni vakadzingwa pana Farao. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako pamusoro penyika yose yeIjipiti kuti mhashu dziuye, muIjipiti dzidye zvose zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe.” Mosesi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro penyika yose yeIjipiti. Tenzi akaunza mhepo yakabva kumabvazuva, yakaswerera ikararira ichivhuvhuta. Kuzoti kwaedza mhepo yokumabvazuva iyi yakaunza mhashu. Mhashu dzacho dzakauya dzakawanda kwazvo munyika yose yeIjipiti, dzikamhara zvokuti tsvete nyika yose zvayo yeIjipiti. Mhashu dzakadai hadzina kumboonekwa kubvira pasi chigare uye hadzizombofi dzakaonekwazve. Dzakamomotera nyika yose, zvokuti pasi pakati ndo-o kusviba. Dzakadya zvose zvaiva munyika iyi. Dzakadyawo michero yose yomumiti yakanga yasiyiwa nechimvuramahwe. Hadzina kusiya kana shizha zvaro nyoro pamuti kana pane kai zvako muminda munyika yose zvayo yeIjipiti. Ipapo Farao akakurumidza kudaidza Mosesi naAroni akati, “Ndakatadzira Tenzi, Mwari wenyu ndikakutadziraiwo imi. Zvino chindiregereraiwo chitadzo changu rwendo runo bedzi mukumbire Tenzi, Mwari wenyu kuti andibvisirewo nhamo yorufu iyi.” Mosesi akabva pana Farao akandoteterera Tenzi. Tenzi akabva adzora mhepo iya, ndokuiunza ichibva nechokumadokero yava nesimba kwazvo. Yakatakura mhashu idzi ikandodzikanda muGungwa Dzvuku. Hakuna kunyange nemhashu imwechete yakasara munyika yeIjipiti yose. Asi Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo, naizvozvo akarambidza vaIsiraeri kuenda. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako mudenga kuti muIjipiti muve nerima rakati kwindindi.” Mosesi akasimudzira ruoko rwake kudenga, rima guru ndokufukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. Ipapo vaIjipiti vakanga vasisaonani. Hakuna munhu akaedza kubuda mumba make pamazuva iwayo ose. Asi kwaiva navaIsiraeri kwakanga kuine chiedza. Farao akadaidza Mosesi akati, “Chiendai zvenyu mundonamata Tenzi, vana venyu vangaendewo zvavo nemi, asi mombe nezvimwe zvipfuwo zvenyu ngazvisare.” Mosesi akati, “Zvinoreva here kuti imi ndimi muchatipa zvipfuwo zvokundobaya tichipisira kuna Tenzi, Mwari wedu? Tichaendawo nezvipfuwo zvedu, hapana kana nechimwechete chinofanira kusara. Muzvipfuwo zvedu ndimo matichasarudza zvatichazobaya tichipisira Tenzi, Mwari wedu. Hatingazivizve kuti ndechipi chatichabayira Tenzi tisati tasvikako.” Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vaende. Farao akati, “Iwe Mosesi chibva pandiri! Zvingwarire! Handidi kuzokuonazve mumaziso mangu! Zuva randinongokuona pano mumaziso mangu chako kufa!” Mosesi akati, “Zvamareva ndizvozvo, handichazoona uso hwenyu zvakare.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zvino kwasara dambudziko rimwechete randichaunzira Farao nenyika yeIjipiti ozokuregai zvenyu moenda. Farao paachanyatsoti muende achaita zvokukudzingai muno. Saka taurira vaIsiraeri vose vazvinzwe kuti munhu wese murume kana mukadzi ngaakumbire muIjipiti waakavakidzana naye kuti amupe zvinhu zvesirivha nezvendarama.” Tenzi ndokuitawo kuti vaIjipiti vaitire vaIsiraeri mwoyochena. Zvakarewo Mosesi aiva munhu anoremekedzwa kwazvo munyika yeIjipiti airemekedzwa namachinda aFarao navanhu vake. Mosesi akati, “Zvanzi naTenzi, ‘Nhasi uno pakati pousiku ndichapfuura nomuIjipiti. Matangwe ose echirume omunyika yeIjipiti achafa, kubvira pamwanakomana waFarao wedangwe achazogara nhaka youmambo kusvikira kumwanakomana wedangwe womuranda wechikadzi anoita basa rokukuya pamwechete namatangwe ose ezvipfuwo achafa. Munyika yose yeIjipiti muchava nokuchema kukuru kusati kwambovamo, uye hakuchazombofi kwakanzwikazve. Asi kuvaIsiraeri nezvipfuwo zvavo uchange uri muchete, kusina kunyange imbwa zvayo ichahukura kwavari. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndinobata vaIsiraeri navaIjipiti zvakasiyana.’ ” Mosesi akazopedzesa achiti, “Machinda enyu ose aya achazopfugama pasi achinditeterera kuti ini ndiende navanhu vangu vose. Ndipo pandichasimuka ndopinda munzira ndoenda.” Ipapo Mosesi akabva pana Farao akashatirwa kwazvo. Tenzi akanga amboudza Mosesi achiti, “Farao acharamba asinganzwi zvauchamutaurira kuitira kuti ini ndiite zviratidzo zvangu zvakawanda zvinoshamisa munyika yeIjipiti.” Mosesi naAroni vakaita zviratidzo zvose izvozvi zvinoshamisa Farao achiona. Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vabve munyika yake. Tenzi akataurira Mosesi naAroni vachiri munyika yeIjipiti achiti, “Kwamuri imi mwedzi uno uyu ndiwo uchave mwedzi wokutangatanga pane mwedzi yose. Ndiwo uchava mwedzi wenyu wokutanga kwegore. Taurirai gungano rose ravaIsiraeri kuti, pamwedzi uno, pazuva regumi, saimba woga woga ngaatsvakire mhuri yake hwayana kana mbudzana. Mhuri nemhuri, imba nemba ive nehwayana yayo. Kana mhuri iri duku, hwayana yacho yakavakurira, ngaibatane neimwe mhuri yayakavakidzana nayo. Munofanira kufanoona kuti hwayana yacho inokwaniranawo navanhu varimo. Chipfuwo ichocho ngachive chisina chinoshoreka pachiri, chiri chikono chine gore rimwechete, chingave hwayana kana mbudzana. Ichengetei kusvikira pazuva regumi nechina romwedzi iwoyu. Ipapo gungano rose ravaIsiraeri ndipo parichauraya hwayana dzacho, zuva richangodoka. Ngavatore rimwe ropa, varizore pamagwatidziro maviri apamusuo napachivivo pamusoro pemisuo yomudzimba mavachaidyira. Ngavadye nyama yacho usiku ihwohwo yakaita zvokugochwa, vaidye pamwechete nechingwa chisina mbiriso nemiriwo inovava. Ngavarege kuidya iri mbishi kana kuita yokubika nemvura, asi ngavaite yokugocha. Ngavaigoche yakadaro nomusoro wayo namakumbo ayo nezvomukati zvayo. Ngavarege kusiya imwe nyama yamangwana. Kana pane inenge yasara kusvikira mangwana acho ngaipiswe. Aya ndiwo madyiro amuchaiita: Idyei makasunga zviuno zvenyu, mune shangu dzenyu mumakumbo, makabata tsvimbo mumaoko. Muidye nechimbichimbi, iPasika yaTenzi. “Usiku ihwohwo, ndichapfuura nomuIjipiti ndichiuraya kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kune emhuka, ndichirangawo vamwari vose veIjipiti. Ndini Tenzi. Ropa repadzimba dzamuchange muri ndorichava chiratidzo chenyu. Kana ndikaona ropa iroro, ndichakudarikai kuti murege kuwirwa nenhamo ingakuparadzei pandicharova nyika yeIjipiti. Kwamuri imi zuva iri rinofanira kuva zuva guru rokuyeuka, ramunoitira Tenzi mabiko pazvizvarwa zvenyu zvose, muchengete murao iwoyu nokusingaperi.” Tenzi akati, “Kwamazuva manomwe, muchadya chingwa chisina mbiriso chete. Pazuva rokutanga, bvisai mbiriso yose mudzimba dzenyu nokuti kana munhu akazodya chingwa chine mbiriso pamazuva manomwe iwayo, munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri. Pazuva rokutanga napazuva rechinomwe, itai musangano mutsvene wezvokunamata. Pamazuva iwaya, kusambova zvako kana nebasa zvaro ramunoita, asi zvokudya zvenyu ndizvo bedzi zvamungabike. Munofanira kuchengeta mazuva echingwa chisina mbiriso nokuti ndiro zuva randakaburitsa madzinza enyu muIjipiti. Saka chengetai zuva guru irori pazvizvarwa zvenyu zvose somurao wenyu unogara uripo narini narini. Mumwedzi wokutanga kubvira pazuva regumi nechina manheru, kusvikira pazuva ramakumi maviri nechiposhi manheru, imi regai kudya chingwa chine mbiriso. Kwamazuva manomwe, mudzimba dzenyu ngamurege kuonekwa mbiriso nokuti kana munhu akadya chinhu chine mbiriso munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama negungano ravaIsiraeri, kunyange zvake ari muenzi kana mugari womo. Musambodya zvenyu chingwa chine mbiriso. Mose mamunenge mugere munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.” Mosesi akakokorodza vakuru vakuru vavaIsiraeri akati, “Endai mutorere mhuri dzenyu hwayana kana mbudzana mubayire Pasika. Munotora katsama ketumapazi twomuhisopu monyika muropa ramunenge maisa mumbiya, morizora pamagwatidziro omumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo. Vanhu vose ngavarege kubuda panze usiku ihwohwo hwose kudzamara kuedze. Tenzi paachapfuura nomunyika muno achiuraya vaIjipiti, achaona ropa pamagwatidziro okumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo, obva apfuura zvake musuo iwoyo. Haazobvumidza muparadzi kupinda mudzimba dzenyu kuzouraya. Imi navana venyu, chengetai izvozvi somurao wenyu narini narini. Kana mazosvika kunyika yamakatsidzirwa kupiwa naTenzi, chengetai zuva guru irori. Vana venyu vakazokubvunzai kuti, ‘Ko mabiko aya anoreveiko?’ imi muti, ‘Ichi chibayiro chePasika chatinoita tichirumbidza Tenzi nokuti akapfuura dzimba dzavaIsiraeri muIjipiti achiuraya vaIjipiti, asi achisiya vemhuri dzedu vari vapenyu.’ ” Ipapo vaIsiraeri vakabva vapfugama vakanamata Tenzi. VaIsiraeri vakaenda vakandoita zvakanga zvarehwa naTenzi kuna Mosesi naAroni. Kuzoti pava pakati pousiku Tenzi akauraya matangwe echirume ose omunyika yeIjipiti, kubvira pamwanakomana waFarao wedangwe raizogara nhaka youmambo kusvikira kudangwe romusungwa akanga ari mujeri namatangwe ose ezvipfuwo. Usiku ihwohwo Farao namachinda ake ose navaIjipiti vose vakamuka rikave zhowezhowe kuchema muIjipiti nokuti kwakanga kusina musha wakanga usina rufu. Farao akadaidza Mosesi naAroni usiku ihwohwo akati, “Imi navaIsiraeri venyu chimukai mubve mukati mavanhu vangu muende kundonamata Tenzi sezvamaireva! Torai zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu sezvamakareva muende. Mundikomborerewo.” VaIjipiti vakakurudzira vaIsiraeri kuti vakurumidze kubuda munyikamo vachiti, “Kana mukasaenda tose tingapere kufa.” VaIsiraeri vakarongedza midziyo iyoyo yaiva nemikanyiwa yechingwa yakanga isina mbiriso. Vakaputira midziyo muhanzu dzavo vakaitakura pamapfudzi avo. VaIsiraeri vakaita zvavakaudzwa naMosesi. Vakakumbira vaIjipiti zvinhu zvesirivha nezvendarama nehanzu. Tenzi akaita kuti vaIjipiti vaitire vaIsiraeri mwoyochena wokuvapa zvavakakumbira. Naizvozvo vaIsiraeri vakarozva upfumi hwevaIjipiti. VaIsiraeri vaisvika zviuru mazana matanhatu pasingaverengerwe vana navanhukadzi vakapinda murwendo rwavo. Vakabva kuRamasesi vakafamba netsoka kundosvika kuSukoti. Vanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakaendawo navaIsiraeri. Vakaenda nemombe nezvimwe zvipfuwo zvakawanda kwazvo. Vakazobika chingwa chisina mbiriso nemikanyiwa iya yavakabva nayo kuIjipiti. Vakatadza kana kuisa mbiriso mumikanyiwa yechingwa nokuti vakaita zvokudzingwa muIjipiti. Pakanga pasina zvokunonoka, havana kana kuzvigadzirira mbuva yerwendo rwavo. VaIsiraeri vakanga vagara muIjipiti mazana mana amakore namakore makumi matatu. Pazuva chairo rakakwana mazana mana amakore namakore makumi matatu, ndiwo musi wakabuda hondo dzose dzavanhu vaTenzi munyika yeIjipiti. Usiku ihwohwo, Tenzi akarindira kuitira kuti anunure vaIsiraeri. Naizvozvo usiku ihwohwu vaIsiraeri vanofanira kugaririrawo vachipembererera Tenzi pazvizvarwa nezvizvarwa zvavo zvose. Tenzi akataurira Mosesi naAroni kuti, “Heinoi mirao yePasika. Mutorwa haabvumirwi kudya Pasika. Asi muranda wamakaita zvokutenga nemari, ngaatange adzingiswa ndipo paangazobvumirwa zvake kuidya. Muenziwo zvake kana mushandi wamarikicho haafanire kudya Pasika. Chirariro chePasika ngachidyirwe mumba makaremo machagadzirirwa. Musabude zvenyu kana nakanyama kayo mumba iyoyo. Regai kutyora kunyange pfupa rimwechete zvaro rehwayana yacho. Gungano rose ravaIsiraeri rinosungwa nomutemo wokuchengeta Pasika. Kana mutorwa agere nemi achidawo kuchengeta Pasika yokupemberera Tenzi, vanhurume vose vaanenge anavo ngavadzingiswe. Ndipo paangazofemerawo kuichengeta nokuti anenge angoitawo somuIsiraeri. Asi hakuna munhu asina kudzingiswa anobvumidzwa kuichengeta. Mutemo iwoyu unosunga zvimwechetezvo vaIsiraeri navatorwa vagere mukati menyu.” Tenzi zvaakanga audza Mosesi naAroni, ndozvakaitwa izvozvo navaIsiraeri. Pazuva iroro chairo Tenzi akaburitsa vaIsiraeri muIjipiti vari hondo nehondo dzavanhu. Tenzi akati kuna Mosesi, “Matangwe ose echirume anofanira kupiwa kwandiri sechinhu chinozogara chichinzi ndechangu. Chii zvacho chevaIsiraeri chinenge chatanga kuberekwa, pavanhu kana pazvipfuwo, ndechangu.” Mosesi akataurira vaIsiraeri achiti, “Rangarirai zuva ramakabuda muIjipiti kwamaiva muuranda nokuti Tenzi akakubvisaimo nesimba rake guru, naizvozvo hamubvumirwe kudya chingwa chine mbiriso. Nhasi mumwedzi uno waAbhibhi, mava kuzobuda muIjipiti. “Kana Tenzi akazokusvitsai kunyika yaakatsidzira madzitateguru enyu kuzokupai, nyika yavaKanani navaHiti navaHivhi navaJebhusi, nyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kupemberera ikoku ngakuitwe mumwedzi iwo uno. Kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso chete, pazuva rechinomwe muchiita mabiko okupemberera Tenzi. Mumazuva manomwe iwayo idyai chingwa chisina mbiriso, ngamurege kuva nomunhu anowanikwa aine mbiriso kana chingwa chine mbiriso munyika yenyu yose. Munozofanira kuudza vana venyu pazuva iroro kuti, ‘Zvinhu izvi, tiri kuzviita pamusana pezvatakaitirwa naTenzi patakabva kuIjipiti.’ Mabiko iwayo achaita sechiratidzo chakasungirirwa paruoko rwako kana kuti sechiyeuchidzo chakasungirirwa pahuma yako kuti mutemo waTenzi usabve pamuromo pako nokuti Tenzi akakuburitsai muIjipiti nesimba rake guru. Nokudaro chengetai murao iwoyu gore negore panguva yawo yakatarwa. “Kana Tenzi azokuunzai kunyika yevaKanani sokutsidza kwaakaitira imi namadzibaba enyu achiipa kwamuri, imi munofanira kuzoturira kuna Tenzi chose zvacho chinenge chatanga kuberekwa. Pazvipfuwo zvenyu zvose, mikono yose inotanga kuberekwa ndeyaTenzi. Asi kana iri mhuru yedhongi hono, inenge iri yokutanga kuberekwa, inunurei nehwayana. Kana mukarega kuinunura imonyei mutsipa ife. Matangwe ose avanhu echirume ngaanunurwe. Kana mwanakomana wako akazokubvunza mune ramangwana achiti, ‘Ko izvi zvinoreveiko?’ Iwe iti, ‘Tenzi akatiburitsa nesimba rake guru muIjipiti mataitambura tiri muuranda. Farao paakaomesa mwoyo achitirambidza kubuda, Tenzi akauraya matangwe echirume ose munyika yeIjipiti kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kumatangwe ezvipfuwo. Ndokusaka ndichitora zvipfuwo zvose zvinotanga kuberekwa ndichizviita chibayiro kuna Tenzi. Asi vana vedu vakomana vanenge vari matangwe tinotovanunura. Izvozvi zvichaita sechiyeuchidzo chiripamaoko enyu kana kuti pahuma dzenyu chokuti Tenzi akatiburitsa muIjipiti nesimba rake guru.’ ” Kuzoti Farao abvumira vaIsiraeri kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira kuenda nenzira inopfuura nomunyika yevaFirisitia kunyange zvayo yakanga iri iyo pfupi nokuti Mwari akati, “Vangasangane nehondo vakafunga napamwe vakadzokera kuIjipiti.” Saka Mwari akavatungamirira vakaenda nenzira inopoterera inoenda nokurenje yakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsiraeri vakabuda muIjipiti vakapakata zvombo zvavo zvehondo. Mosesi akatora mapfupa aJosefi akaenda nawo nokuti iye Josefi akanga ati vaIsiraeri vapike kuzoita izvozvi achiti, “Ndinoziva kuti Mwari achauya kuzokununurai, zvino kana moenda takurai mapfupa angu muendewo nawo.” VaIsiraeri vakasimudzira rwendo rwavo vobva paSukoti vakandodzika matendhe avo vave kuEtamu, nzvimbo iri kumucheto werenje. Masikati Tenzi aivatungamirira neshongwe yegore, usiku achivatungamirirawo nezirimi romoto raivavhenekera nzira kuti vagone kufamba masikati kana usiku. Shongwe yegore yairamba ichivatungamirira masikati, zirimi romoto richivatungamirira usiku. Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza vaIsiraeri vadzoke mundodzika matendhe enyu pakatarisana neguta rePihahiroti, pakati peMigidhori negungwa, pedyo neguta reBhaarizefoni, mudzike matendhe enyu ipapo pedyo negungwa. Farao achafunga kuti vaIsiraeri vari kudzungaira munyika, rerenje ravakomberedza. Ini ndichaita kuti Farao aomese mwoyo akuteverei. Ini ndichawana mbiri nokukurira kwandichaita Farao nehondo yake yose. VaIjipiti ndipo pavachazoziva kuti ini ndini Tenzi.” VaIsiraeri vakabva vaita saizvozvo. Mambo weIjipiti paakaudzwa kuti vanhu vaye vatiza, iye namachinda ake vakasanduka mwoyo vakati, “Ko chiiko chatakaita? Takakanganisa, takarega vaIsiraeri vachienda zvavo vachisiya kutiitira basa.” Farao akarongedzera ngoro yake akakukuchana nehondo yake. Akatevera vaIsiraeri ane ngoro dzake dzose dzehondo. Paiva nengoro mazana matanhatu, dzino chaidzo dzamandiriri nedzimwe ngoro dzehondo dzose dzeIjipiti, pangoro paine varwi vano chaivo vatatu vatatu. Tenzi akaita kuti Farao mambo weIjipiti aomese mwoyo, akabva atevera vaIsiraeri, asi vaIsiraeri vakanga vatoenda zvavo iyo misoro iri mudenga vasingakatari. VaIjipiti vakaronda vaIsiraeri. Vakanga vaine ngoro dzose dzaFarao dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo nehondo yake. Vakabatira vaIsiraeri vave kuPihahiroti pakatarisana neBhaarizefoni vari pamatendhe avo pedyo negungwa. Farao paakanga oswedera pedyo navo, vaIsiraeri vakacheuka, onei vaIjipiti vakarongana vachivatevera, vakatya kwazvo vakachema kuna Tenzi. Vakati kuna Mosesi, “Ko iko kuIjipiti kwakanga kusina makuva here zvawakatitora ikoko kuti tifire murenje muno? Iyewe ndiwe wakatiburitsa muIjipiti, zvino chawakatiitira chii ipapa? Handiti ndizvozvi here zvatakakuudza tichiri muIjipiti kuti siyana nesu, utirege tishandire vaIjipiti. Zvaitova nani kuti tishandire vaIjipiti pano kufira murenje.” Asi Mosesi akati kuvanhu, “Musatye zvenyu, batai mwoyo. Nhasi uno muchaona kununurwa kwamuchaitwa naTenzi. Ivava vaIjipiti vamuri kuona nhasi, hamuchazovaonizve. Tenzi ndiye achakurwirai, chenyu imi chete kubata hana.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Uri kuchemereiko kwandiri? Udza vaIsiraeri kuti varambe vachifamba. Iwe usimudzire tsvimbo yako pamusoro pegungwa, ukamuranise mvura napakati vaIsiraeri vayambuke gungwa napakaoma. Asi ndichaita kuti vaIjipiti vakakavare mumwoyo, vakuteverei. Ini ndichawana mbiri nokukurira kwandichaita Farao nehondo yake nengoro dzake dzehondo navachairi vadzo, ndichazoremekedzwa kwazvo. Kana ndichinge ndakurira Farao nengoro dzake navachairi vadzo, vaIjipiti vachazoziva kuti ini ndini Tenzi.” Mutumwa waMwari akanga akatungamirira vaIsiraeri, vari hondo yavanhu, akabva pamberi paakanga ari akaenda shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi ikandomira yave shure kwavo. Yakandomira pakati pehondo yavaIjipiti nehondo iya yavaIsiraeri. Gore iroro rakanga rakati rima kwindi. Usiku ihwohwo hwose hwakapera vaIjipiti navaIsiraeri vasina kukwanisa kurwisana. Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Tenzi akaunza mhepo ine simba yaibva kumabvazuva, ikavhuvhuta usiku ihwohwo hwose, ikamisa mvura yomugungwa kuenda kwayaiyererera, ikaikamuranisa pakave napasi pakaoma mugungwa. VaIsiraeri vakabva vayambuka gungwa vachifamba napasi pakaoma, mvura yakamira samadziro emba kurudyi nokuruboshwe kwavo. VaIjipiti vakatevera nengoro dzavo dzose dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo vakapindawo mukati megungwa imomo. Mambakwedza Tenzi akatarisa hondo yavaIjipiti ari muzirimi romoto mushongwe yegore akakangaidza hondo yavaIjipiti achiita kuti ngoro dzavo dzehondo dzinyure. VaIjipiti vakazoti, “Varume, ngatitizei vaIsiraeri avo nokuti Tenzi ari kuvarwira achitirwisa.” Pakarepo Tenzi akati kuna Mosesi, “Simudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa mvura idzokere pakare, inyudze vaIjipiti vose nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo.” Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa. Kwava kuedza, mvura yegungwa ndiye dhuma kudzokerana pakare somugariro wayo. VaIjipiti ndokuti gumbo ndibereke votiza, mvurawo ikati uya tiende yochingurana navo, Tenzi ndokuvati fuse fuse nemvura pakati pegungwa. Mvura yakadzokera pakare ikanyudza ngoro dzehondo navachairi vadzo nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichivatevera. Hakuna kunyange mumwechete zvake akapunyuka. Asi vaIsiraeri vakafamba napasi pakaoma mukati megungwa. Mvura yakanga yakamira samadziro emba kurudyi nokuruboshwe kwavo. Pazuva iroro, Tenzi ndiko kuponesa kwaakaita vaIsiraeri vakanga vateverwa navaIjipiti. VaIsiraeri vakazoona zvitunha zvavaIjipiti vaya kumahombekombe kwegungwa. VaIsiraeri pavakaona simba guru raTenzi richiparadza vaIjipiti vakatya Tenzi. Vakadavira munaTenzi, uye Mosesi muranda wake. Mosesi navaIsiraeri vakabva vaimbira Tenzi rwiyo urwu vachiti: “Ndichaimbira Tenzi nokuti akurira zvino mukurumbira, ngoro dzehondo navachairi vadzo, azviti mugungwa bvuva bvuva. Tenzi ndiye simba rangu, ndiye rwiyo rwangu, ndiye mununuri wangu, iyeyu Mwari wangu wandinorumbidza, Mwari wababa vangu wandinopemberera. Tenzi igamba rehondo, Tenzi ndiro zita rake. “Akakandira mugungwa ngoro dzehondo, ngoro dzaFarao nehondo yake, nyanzvi dzamasoja ake mugungwa Dzvuku akadzindondomesa mvura zhinji ikavanyudza vakanyura pasi pasi kuti vido sebwe! Rudyi rwenyu Tenzi, ruoko rune simba rinotyisa. Rudyi rwenyu Tenzi, runopwanya-pwanya vavengi. “Noumambo hwenyu huno mukurumbira, munobwadutsira pasi mhandu dzenyu. Hasha dzenyu dzinovavirukira dzichivaroromesa samashanga. Nehasha dzenyu makangoti furidzei, mvura ndiye unga unga kuungana. Mvura yegungwa yakati dzuu kumira sechidziro. Mvura zhinji pakati pegungwa yakanyatsoti twi kumira. Muvengi akati, ‘Regai ndivatevere ndivabate, ndigoveranise zvandinenge ndapamba, ndichitorawo zvandinoda. Ndichavaburitsira muhara bakatwa rangu, ndivakatakazhe noruoko rwangu, vanyatsopera kuti dhuu.’ Asi imi makafuridza gungwa rikanyudza vaIjipiti, vakanyura somutobvu mumvura zhinji. Pana vamwari vose, ndiani angaenzaniswe nemi Tenzi? Ndianiko ano mukurumbira woutsvene semi, ano mukurumbira unotyisa ukadai, muiti wamabasa anoshamisa? Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikamedza vavengi vedu. Vanhu vamakanunura munovatungamirira, munovatungamirira nomwoyochena wenyu. Munovatungamirira nesimba renyu munovaperekedza kunyika yenyu inoera. Ndudzi dzavanhu dzakazvinzwa dzikadedera zvikuru, vaFirisitia vabatwa nokutya kukuru. Vakuru vakuru veEdhomu vadumbirwa nokutya. Machinda avaMoabhu ari kudedera, vanhu vomuKanani vaparara nokutya. Zvava kungoti kutya zvikati kudedera vadumbirwa nazvo vachiti nazvo papata sedombo nokutya, pamusana pesimba renyu guru, kusvikira vanhu venyu Tenzi vapfuura pavari, kusvikira vanhu venyu vamakanunura muuranda, vapfuura pavari. Muchaenda navo mugovasima pagomo renyu. Ndiyo nzvimbo yamakasarudza imi Tenzi kuti ive musha wenyu, Nzvimbo Inoera yamakagadzirira namaoko enyu. Tenzi achatonga kusvikira narini narini.” Ngoro dzehondo dzaFarao dzamabhiza navachairi vadzo padzakapinda mugungwa, Tenzi akavati fuse fuse nemvura, asi vaIsiraeri vakayambuka vachitsika zvavo pasi pakaoma. Muprofita Miriamu, hanzvadzi yaAroni, akatora katambureni kake, vanhukadzi vose vakabva vamutevera vachiridzawo tambureni dzavo vachitamba. Miriamu akashaura vachiti; “Imbirai Tenzi nokuti akurira, akurira zvino mukurumbira, ngoro dzehondo navachairi vacho azviti mugunwa bvuva bvuva.” Mosesi akatungamirira vaIsiraeri kubva paGungwa Dzvuku vachienda kurenje reShuru. Vakafamba mazuva matatu vari murenje iroro vasina pavakawana mvura. Vakazosvika kuMara asi vakatadza kunwa mvura yepo nokuti yaikarakata kuvava. Saka pakatumidzwa zita rokuti Mara. Ipapo vaIsiraeri vakapopotera Mosesi vachiti, “Zvino tonwei?” Mosesi akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamuratidza chimwe chigwenzi Mosesi akachikanda mumvura, mvura iya ikabva yanaka. Ipapo Tenzi akavapa murao nomutemo achida kuona kuti vaIsiraeri vanoteerera here akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.” Vakazondosvika kuErimu paiva namatsime gumi namaviri. Paivawo nemiti yomurara makumi manomwe. VaIsiraeri vakadzika matendhe avo ipapo paiva nemvura. Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo kubva kuErimu vakandosvika murenje reSini riri nechepakati peErimu negomo reSinai. Vakasvikapo pazuva regumi nechishanu, romwedzi wechipiri wokubva kwavo kuIjipiti. Vari murenje imomo, mhomho yose yavaIsiraeri yakapopotera Mosesi naAroni ichiti, “Dai Tenzi akatiuraya hake tichiri kuIjipiti kwataiita zvedu mabhodho enyama okupfachura, chingwa tichidya zvedu pataidira. Hezvi makatiunza murenje muno kuzotiurayisa zvenyu isu tose nenzara.” Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Ndichakunayisirai chingwa chinobva kudenga. Zuva nezuva vanhu vose ngavabude vanonge chingwa chinovakwanira kudya pazuva iroro chete. Ndipo pandichaona kuti vaIsiraeri vanoteerera mutemo wangu here kana kuti kwete. Asi pazuva rechitanhatu pavanogadzirira zvokudya ngavanonge mwero wepazuva wakapetwa kaviri.” Mosesi naAroni vakaudza vaIsiraeri vose vachiti, “Nhasi manheru muchaziva kuti Tenzi ndiye akakuburitsai muIjipiti. Mangwana mangwanani muchaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi. Izvo zviya, ndiye wamanga muchinyunyutira achizvinzwa, isu tiri vanaaniwo zvedu vamungapopotere.” Mosesi ndokuti, “Manheru Tenzi achakupai nyama yokudya, mangwanani achikupai chingwa chamunodya muchiguta. Tenzi akakunzwai pamakamunyunyutira. Izvo zviye kana muchipopota, munenge musingapopoteri isu. Ko isu tiri vanaaniwo zvedu? Wamunenge muchipopotera chaiye ndiTenzi.” Mosesi akati kuna Aroni, “Kokorodza gungano rose ravaIsiraeri, uti, ‘Uyai pedyo naTenzi nokuti kumunyunyutira kwamakaita akakunzwa.’ ” Aroni paakanga achitaura negungano rose ravaIsiraeri, vakatarira kurenje ndokuona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kuri mugore. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsiraeri. Vaudze kuti manheru muchange muchidya nyama, mangwanani muchidya chingwa muchiguta. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.” Ava manheru kwakauya zvihuta zvizhinji zvikazara pamatendhe avo, mangwana acho dova rikafuma rakati ware ware panharaunda yamatendhe avo. Kuzoti dova riya raoma, kwakaonekwa zvimwe zvinhu zvidikidiki zvakaita samafefenhwa, zvakasara zvakati ware ware pasi murenje imomo zvichinge chando. VaIsiraeri pavakazviona, vakabvunzana vachiti, “Ko nhaimi, zvinhui izvozvi” Vakadaro nokuti vakanga vasingamboziva kuti chii. Mosesi akati, “Ndicho chingwa chamapiwa naTenzi kuti mudye. Zvino chinzwai zvarehwa naTenzi, ati, ‘Mumwe nomumwe ngaanonge chaanokwana kudya pazuva marita maviri pamunhu zvichienderana nokuwanda kwakaita vanhu vaanavo mutendhe rake.’ ” VaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakanonga chizhinji, vamwe chishoma. Asi pavakachiera mumudziyo wamarita maviri, vakaona kuti vaya vakanga vanonga chakawanda chakanga chisina kupfuuridza, vayawo vakanga vanonga chishoma chakanga chisina kushomekesa. Mumwe nomumwe akanga anonga chakakwanirana naye. Mosesi akavati, “Hapana anofanira kusiya chimwe kusvikira mangwana mangwanani.” Asi vanhu havana kuteerera Mosesi. Vamwe vakasiya chimwe kusvikira mangwana mangwanani, asi chakaora chikaita honye. Mosesi akavashatirirwa. Vaichinonga achiri mangwanani zuva nezuva mumwe nomumwe achinonga chaanokwana kudya pazuva. Asi chaiti kana zuva ropisa chonyakatika. Pazuva rechitanhatu vakanonga chingwa chamazuva maviri, mumwe nomumwe marita mana. Vatungamiriri vose vevaIsiraeri vakauya vakazvisvitsa kuna Mosesi. Mosesi akati kwavari, “Ndizvozvo wani zvakarehwa naTenzi mangwana izuva rokuzorora, iSabata rinoereserwa Tenzi. Saka nhasi uno gochai zvenyu chamunoda kugocha, mubike chamunoda kubika. Chose chinenge chasara chichengeterei mangwana.” Vakachichengeta kusvikira mangwana sezvavakanga vaudzwa naMosesi, asi hachina kufuma chakaora kana kuita honye. Mosesi akati, “Nhasi idyai zvenyu ichochi nokuti nhasi iSabata, izuva raTenzi, hakuna chokunonga kunze'ku. Munofanira kunonga chokudya ichocho kwamazuva matanhatu zuva nezuva. Asi zuva rechinomwe nderokuzorora, kuchange kusina chokunonga.” Pazuva rechinomwe vamwe vakaenda vachida kundononga chingwa chiya asi hapana chavakawana. Tenzi akati kuna Mosesi, “Muchasvika riniko muchiramba kuteerera mitemo nemirao yangu? Inga ini Tenzi ndakakupai zuva rokuzorora saka ndichikupaiwo zvokudya zvinokwanirana namazuva maviri pazuva rechitanhatu. Musi wechinomwe, munhu wose ngaarege kubva paanenge ari.” Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe. VaIsiraeri vakatumidza chokudya ichocho zita rokuti mana. Mana iyi zvaiva zviri zvinhu zvidikidiki zvichena zvainge mhodzi yomukorianda zvichitapira sechingwa chakabikwa nouchi. Mosesi akati, “Tenzi akatirayira kuti tichengetere zvizvarwa zvedu zvichauya mana iyi inokwana mumarita maviri zvizoona chingwa chatakapiwa naTenzi kuti tidye tichiri murenje panguva yaakatiburitsa muIjipiti.” Mosesi akataurira Aroni achiti, “Tora hari uisemo mana iyi inokwana mumarita maviri uigadzike pana Tenzi muichengete pazvizvarwa nezvizvarwa zvenyu zvose.” Aroni akaita sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Akandogadzika hari iyi panyasi pebhokisi rechitenderano, kuti ichengeterwe ipapo. VaIsiraeri vakadya mana iyi kwamakore makumi mana kudzamara vazosvika munyika yaigona kugarwa navanhu. Mana iyi vakaidya kusvikira vasvika pamuganhu wenyika yeKanani. Chiereso chaiereswa mana iyoyo nacho chinonzi omeri chaizara nemarita maviri, chaipinda kagumi mune chimwe chiereso chikuru chainzi efa. Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo rwaro kubva muRenje reSini vakafamba vachiti apa garei vosimudzira, apa garei vosimudzira sezvainge zvataurwa naTenzi. Vakazondodzika matendhe avo paRefidhimu. Asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. Vanhu ndokubva vapopotera Mosesi vachiti, “Tipe mvura yokunwa!” Mosesi akati, “Nemhosva yeiko imi muchindipopotera? Ko munoedzereiko Tenzi muchidaro?” Vanhu vose vakanzwa nenyota yemvura, vakapopotera Mosesi vachiti, “Makatibvisirei kuIjipiti? Heya makatibvisira kuzotiurayisa zvenyu nenyota nhai? Saka munoda kutiurayisa nenyota isu navana vedu nezvipfuwo zvedu nhai?” Mosesi akachema kuna Tenzi achiti, “Ndoita seiko navanhu ava? Vachanditema zvino uno namabwe.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Tora tsvimbo yako iye yawakamborova nayo mvura yomuna Nairi uende mberi kwegungano ravanhu uine vamwe vakuru vakuru vavaIsiraeri. Ini ndichamira mberi kwako ikoko padombo riri kuHorebhu, urove dombo iroro, mvura ibude, vanhu vanwe.” Mosesi akaita saizvozvo vakuru vakuru vevaIsiraeri vachiona. Nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, Masa neMeribha, pamusana pokupopota kwavaIsiraeri nokuedza kwavakaita Tenzi vachiti, “Ko Tenzi achinesu here kana kuti kwete?” VaAmareki vakauya vakarwisa vaIsiraeri paRefidhimu. Mosesi akati kuna Joshuwa, “Tisarudzire varume mundorwisa vaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndakabata tsvimbo yaTenzi muruoko.” Joshuwa akaita zvaakanga audzwa naMosesi, akandorwisa vaAmareki. Mosesi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. Zvaiitika ndezvokuti painge Mosesi akasimudza maoko ake mudenga, vaIsiraeri vaibva vava kukunda; asi paingewo Mosesi adzorera maoko ake pasi, vaAmareki vaibvawo vava kukunda. Mosesi akazoneta akatadza kuramba akasimudza maoko ake. Aroni naHuri vakakungurutsa ibwe rokuti Mosesi agare, Mosesi akagara pabwe. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakati mumwe uku mumwe uku, vakaasimudzira mudenga. Maoko ake akanga akatsigirwa kusvikira zuva radoka. Naizvozvo Joshuwa akakatakazha nebakatwa vaAmareki navarwi vavo. Tenzi akati kuna Mosesi, “Nyora nyaya yehondo yarwiwa pano mubhuku kuitira kuti zvizorangarirwa. Taurira Joshuwa izvi azvinzwe nenzeve dzake kuti ndichaparadza vaAmareki zvachose zvokutsakatisa zita ravo panyika.” Mosesi akavaka atari akaitumidza zita rokuti, “Tenzi ndiye anondipa simba rokukunda naro.” Akati, “Pamusana pokuti ruoko rwanga rwakasimudzirwa kuchigaro chaTenzi, choumambo Tenzi achagarawo achirwisa vaAmareki pazvizvarwa zvavo zvose.” Vatezvara vaMosesi vainzi Jetero, aiva mupristi wokuMidhiani akanzwa zvose zvakaitwa naTenzi kuna Mosesi navaIsiraeri paakavaburitsa muIjipiti. Vatezvara vaMosesi, vaJetero vakagamuchira zvavo Zipora mudzimai waMosesi akanga ambodzorerwa kumusha pamwechete navanakomana vake vaviri. Mumwe ainzi Gerishomu nokuti Mosesi aiti, “Ndiri mutorwa munyika yavamwe.” Mumwe ainzi Eriezero, nokuti aiti, “Mwari wababa vangu ndiye akava mubatsiri wangu, akandinunura kuna Farao akasandiuraya.” Vatezvara vaMosesi, vaJetero, nomudzimai waMosesi navana vake vaviri vakaenda kurenje kwaiva naMosesi kugomo raMwari pavakanga vakadzika matendhe. Jetero akanga afanotuma shoko kuna Mosesi rokuti, “Ini, vatezvara vako, ndiri kuuyako nomudzimai wako navanakomana vake vaviri.” Mosesi akandochingura vatezvara vake akavakwazisa achivaremekedza kwazvo akavatsvoda. Vakabvunzana mufaro vakapinda zvavo mutendhe. Mosesi akarondedzera vatezvara vake zvose zvakanga zvaitwa naTenzi achirwadzisa Farao navaIjipiti pamusana pevaIsiraeri. Akaudzawo vatezvara vake nezvamatambudziko ose avakaona murwendo rwavo nezvakaitwa naTenzi achivanunura. Jetero akafara kwazvo paakanzwa zvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsiraeri naTenzi paakavanunura mumaoko avaIjipiti. Jetero akati, “Tenzi ngaarumbidzwe akakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko aFarao, akanunura vanhu mumaoko evaIjipiti. Zvino ndazoziva kuti Tenzi ndiye mukuru kudarika vamwari vose zvavo nokuti akanunura vanhu kuvaIjipiti pavaizvikudza zvikuru vachivatambudza.” Ipapo vatezvara vaMosesi vaJetero vakapira Mwari chibayiro chinopiswa vakapirawo mimwe mipiro. Aroni navakuru vakuru vose vavaIsiraeri vakauya kuzodya pamwechete navatezvara vaMosesi ipapo pana Mwari. Ava mangwana Mosesi akagara padare achitonga mhosva dzevaIsiraeri. Vanhu vakaswera padare, kubvira mangwanani kudzamara manheru. Vatezvara vaMosesi vakaona mabatiro ose aaiita vanhu, vakati, “Ko ndicho chii chauri kuitira vanhu ichochi? Pamusana pei uriwe woga woga chete wokutonga mhosva dzavanhu uchiswedza vanhu vakangokumirira padare?” Mosesi akapindura vatezvara vake achiti, “Vanhu vanouya kwandiri vachida kuziva kuti Mwari anoti kudii pamhosva dzavo, kana vanhu vatadzirana, vakauya kwandiri ndinovatonganisa mhosva yavo ndichivaudza mitemo nemirao yaMwari.” Vatezvara vake vakamuti, “Zvauri kuita izvozvi hazvina kunaka. Iwe uchazviuraya nebasa, uchitambudzisawo vanhu vanouya kudare. Basa irori ibasa guru kwazvo haungariiti uri oga oga. Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari, uvewo wokuvatsanangurira mitemo nemirao, uchivadzidzisa mugariro wakanaka nezvavanosungirwa kuita. Zvaungaitewo kusarudza mukati mavanhu ava varume vanoziva basa, vanotya Mwari. Vanofanira kuva varume vari pachokwadi, vanovenga zvepfumbamuromo, uvape basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana avanhu. Vamwe vave vatungamiriri vamapoka anenge aine chiuru chavanhu, mukati macho vamwe vave vatungamiriri vetumapoka tunenge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu. Vatungamiriri ivavo ndivo vova vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva nduku dzose vachidzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro iwoyu. Dai kuri kuti Mwari anotiwo uite zvandareva, uchakwanisa kuita basa rako, vanhuwo ava vose vachadzokera kwavo vasingagunun'uni mumwoyo.” Mosesi akabvuma zano raakapiwa navatezvara vake akaita zvose zvavakareva. Mosesi akasarudza mukati mavaIsiraeri vose varume vanoziva basa. Akavapa basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana. Vamwe akaita vatungamiriri vamapoka aiva nechiuru chavanhu. Mukati macho vamwe vachitungamirira mapoka ezana ravanhu, vamwe makumi mashanu, vamwewo gumi ravanhu. Ndivo vakazenge vava vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Mhosva dzainge dzanetsa ndidzo dzavaipira kuna Mosesi. Nduku dzose vaingotongawo ivo pachavo. Mosesi akaonekana navatezvara vake. Vatezvara ava vakadzokera kunyika kwavo. Pazuva chairo rakapera mwedzi mitatu yokubva kwavo kuIjipiti vaIsiraeri vakasvika murenje ReSinai. VaIsiraeri vakanga vabva kuRefidhimu vakasvika murenje reSinai vakadzika matendhe avo pakatarisana negomo. Mosesi akakwiramo kundosangana naMwari. Tenzi ari mugomo imomo akadaidzira kuna Mosesi achiti, “Taurira vanhu vemba yaJakobho, uudze vaIsiraeri kuti, ‘Makaonaka zvandakaita kuvaIjipiti, mukaonawo matakuriro andakakuitai segondo riri kubhururuka rine charakatakura ndichikuunzai kwandiri. Zvino mukanditeerera nomwoyo wose, muchichengeta chitenderano changu, pamarudzi ose muchava soupfumi hunokosha kwazvo kwandiri, nokuti pasi pose ndepangu. Kwandiri ini, imi muchava nyika yavapristi, rudzi runoera. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaurira vaIsiraeri.’ ” Mosesi akaburuka mugomo, akakokorodza vakuru vakuru vose vavaIsiraeri akavapirawo mashoko iwayo ose aakanga audzwa naTenzi. Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu. Tenzi akaudza Mosesi kuti, “Ndichauya kwamuri ndiri mugore rakasviba kuti ndindo-o, kuitira kuti vanhu vandinzwe ndichitaura newe, naizvozvo vachazogara vachiti rawareva ndiroro.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda undoti vaIsiraeri ngavazvinatse nhasi namangwana, vasuke hanzu dzavo, vange vagadzirira pazuva retatu nokuti pazuva retatu ini Tenzi ndichauya pamusoro peGomo reSinai vanhu vose vachiona. Iwe unofanira kutarira vanhu muganho unoripoteredza kuti varege kudarika muganho iwoyo vachikwira mugomo kana kuswedera mujinga maro. Kuwana anorigunzva anotourayiwa chete. Asaite kana zvokubatwa namaoko. Ngaaite zvokutemwa namabwe kana kupfurwa nomuseve, ingave mhuka kana munhu chaiye urayai chete. Vanhu vanotozouya kugomo kana hwamanda yaridzwa zvakati rebei.” Mosesi akaburuka mugomo umu oenda kuvanhu. Akandotaurira vaIsiraeri kuti vazvinatse; vakasuka hanzu dzavo. Mosesi akaudza vanhu kuti, “Gadzirirai kubvira nhasi kusvikira pazuva retatu, pasava naanopinda mumba nomukadzi.” Pazuva retatu, mangwanani, mugomo makafumonzwikwa kutinhira nemheni, pagomo pakava negore rakati kwirindindi, kwakanzwikwawo kurira kukuru kwehwamanda, vanhu vose vakadedera nokutya mumatendhe. Mosesi akabva navanhu kumatendhe akauya navo kuzosangana naMwari, vanhu vakasvikomira mujinga megomo. Gomo rose reSinai rakati gude gude kufukidzwa noutsi, nokuti Tenzi akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakati togo-o sokunge huri kubva muvira romoto. Gomo rose rakandengendeka zvikuru. Kuzoti ruzha rwehwamanda rwanyanya kuramba ruchikura, Mosesi akataura. Tenzi akamupindura nezwi raiita zvokutinhira. Ipapo Tenzi akaburukira pamusoro peGomo reSinai, akadaidzira kuna Mosesi kuti akwire pamusoro pegomo, Mosesi ndokukwira. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Buruka undoyambira vanhu kuti varege kudarika muganho vachida kundiona nokuti vakangodaro vazhinji pakati pavo vangafe. Kunyangewo vapristi vanouya pedyo neni Tenzi vanofanira kunge vatozvinatsawo. Kana vakarega kudaro iyeni Tenzi ndinovaparadza.” Mosesi akapindura Tenzi achiti, “Vanhu havangagoni kukwira mugomo muno reSinai nokuti imi pachenyu makatiti tiripoteredze nomuganho, tirierese.” Tenzi akamuti, “Chiburuka undouya naAroni. Vapristi navanhu ngavarege kudarika muganho, kana kukwira kuno kwandiri. Kana vakadaro ndichavaparadza.” Mosesi akaburuka akandoudza vanhu izvozvo. Mwari akataura mashoko ose ano aya achiti, “Ndini Tenzi, Mwari wako ndakakuburitsa kuIjipiti kwawaiva muuranda. “Usave navamwe vamwari kunze kwangu. Usazvigadzirire chifananidzo chokunamata kana kuita chinhu chakafanana nechii zvacho chiri kumusoro kudenga, kana chiri panyika pasi pano, kana chiri mumvura pasi pasi penyika. Usapfugamire zvifananidzo izvozvo kana kuzvinamata nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndiri Mwari aneshanje. Ndinoranga vose vanondivenga, shamhu yangu ichirova vana vavo ndichivarangira zvitadzo zvamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina. Asi ndinogara ndichiitira mwoyochena kuzviuru nezviuru zvavanondida, vanochengeta mitemo yangu. “Usataure zita raTenzi, Mwari wako zvisina maturo nokuti Tenzi haangaregi kupa mhosva munhu anotaura zita rake zvisina maturo. “Yeuka zuva reSabata urierese. Kwamazuva matanhatu shanda zvako, uite basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi, Mwari wako. Pazuva iroro usaite kana basa zvaro, iwe kana mwana wako mukomana kana musikana, kunyange munhu anokushandira murume kana mukadzi, kana chipfuwo chako, kunyange muuyi agere nemi. Ndinodaro nokuti mumazuva matanhatu, ini Tenzi ndakasika denga nenyika negungwa nezvose zviri mazviri, ndikazorora pazuva rechinomwe. Naizvozvo Tenzi akakomborera zuva reSabata akariita zuva rinoera. “Remekedza baba naamai vako, kuti mazuva ako awande munyika yauri kupiwa naTenzi, Mwari wako. “Usauraye. Usaite upombwe. Usabe. Usapupurire mumwe wako zvenhema. Usachive imba yomumwe wako. Usachive mudzimai womumwe, kana munhu anomushandira, murume kana mukadzi, kunyange mombe yake, kana dhongi rake, kana chii zvacho chomumwe wako.” VaIsiraeri vose vakanzwa kudhiriridza, nemheni nokurira kwehwamanda. Vakaona utsi huchipwititika mugomo. Vanhu vakati kanha nazvo vakadedera nokutya, vakamirira kure. Vakataurira Mosesi vachiti, “Dai imi murimi mataura kwatiri isu tinokuteererai. Dai Tenzi arega zvake kutaura kwatiri, tingafe.” Mosesi akati kuvanhu, “Musatye henyu nokuti Mwari auya kuzoona kuti muri vanhu vakadii. Anodawo kuti kumutya kukupindei muropa, murege kumutadzira.” Vanhu vakamirira kure, asi Mosesi ndiye akaswedera kugore dema dema kuya kwaiva naMwari. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Iti kuna vaIsiraeri, ‘Mazviona imi pachenyu kuti ndataura nemi ndiri muchadenga.’ Saka musazvigadzire vamwari vesirivha kana vendarama vokundiita zvenyu madirativhange navo. Atari yamunondivakira ngaive yevhu mupire kwandiri zvibayiro zvenyu zvokupisa nemipiro yenyu yokuwadzana yehwai nemombe. Pose pose pandichasarudza kuti mundinamatirepo ndichauya kwamuri kuzokukomborerai. Kana muchindivakira atari yamabwe musaivake namabwe akavezwa nokuti kana mukatora nhemo muchiveza mabwe matoan'oresa. Musaite madanho okukwirisa kuatari yangu kuti parege kuva nokunyadzisira woonererwa uripo.” “Iyi ndiyo mitemo yaunofanira kundopa vaIsiraeri. Kana uchinge watenga muranda wechiHebheru, ngaakushandire kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, muranda iyeyo murege aende zvake pasina chaanoripa. Kana munhu akatengwa achingova iye oga ngaaende zvake ari oga, asi kana akatengwa aine mudzimai ngaaende pamwechete nomudzimai wake. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, mukadzi iyeyo akabereka vana vakomana navanasikana, mukadzi iyeyo navana vake vanofanira kupiwa kuna vatenzi vomudzimai iyeyo, murume uya oenda zvake ari oga. Asi kana muranda akatengwa wacho akati, ‘Ini ndinoda tenzi wangu, ndinodawo mudzimai wangu navana, musandisunungure zvenyu kuti ndiende, pakadaro, tenzi wake ngaauye naye kuna Mwari, amumise negwatidziro romusuo, atore mutsunda amuboore nzeve yake, achava muranda watenzi wake upenyu hwake hwose.’ “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave muranda, haazosunungurwa muuranda sezvinoitwa munhurume. Kana murume iyeyu akamutengera kuroora asisamudi, ngaamurege achidzikinurwa pamusana pokuti haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa nokuti haana kuvimbika kwaari. Kana murume akamutengera kupa mwanakomana wake, ngaamuitire zvaangaitire mwanasikana wake. Kana akatora mumwe mukadzi ngaarambe achipa mukadzi wake zvaanga achimupa zvezvokudya nezvokupfeka, aregewo kushomekesa mazuva aaipinda naye mumba. Kana akarega kumuitira zvinhu zvitatu izvozvi, mukadzi iyeyo ngaaende zvake pasina mari inoripwa. “Ani naani zvake anorova munhu zvokumuuraya, ngaaurayiwewo. Asi kana akauraya munhu asina kuita zvokumuhwandira, zvangoitikawo iri tsaona, ngaatize andopotera kunzvimbo yandichasarudza kwaasingazourayiwa. Asi kana munhu akaita maune okuvirukira mumwe nehasha, akamuuraya noujarijari, mutorei paatari yangu paanenge andopotera ipapo aurayiwe. “Ani naani zvake anorova baba vake kana amai vake, anofanira kutofa. “Ani naani zvake anoba munhu achimutengesa, kana kuwanikwa ainaye, anofanira kuuraiwa. “Ani naani zvake anoti rushambwa ngaruwire baba vake kana amai vake, anofanira kuuraiwa. “Ngatiti vanhu vaviri vaitirana nharo, mumwe ozomutema mumwe nedombo kana kuti nechibhakera, nyakurohwa orega kufa, asi ongosara achirwara, ozoita nani okwanisawo kutora mudonzvo achifamba zvake panze, nyakurova mumwe anenge asisapiwi mhosva, asi anosungirwa kuripa waakarova nguva yaakarasikirwa nayo achirwara, uyewo amurapise kusvikira apora. “Kana munhu akatora mubhadha akarova muranda wake wechirume kana kuti wechikadzi muranda achibva afa pakarepo, munhu iyeyo ngaarangwe. Asi kana muranda iyeyo akazorarama zuva rimwechete kana maviri zvawo, tenzi wake haazorangwa nokuti muranda wacho anenge ari wake. “Ngatiti varume vorwisana, vokuvadza mukadzi anenge akazvitakura obva abva pamuviri, asi osara asina kukuvadzwa zvakanyanya; murume anenge amukuvadza ngaaripiswe zvinenge zvarehwa nomurume womukadzi iyeyu, zviri zvinhu zvinobvumwawo nedare. Asi kana mukadzi uyu achinge akuvadzwa, murume amukuvadza ngaarangwe sezvinoreva mutemo unoti, upenyu ngahutsiviwe noupenyu, ziso neziso, zino ritsiviwewo nezino, ruoko noruoko, gumbo richitsiviwawo negumbo, apisa mumwe ngaapiswewo, akuvadza mumwe ngaakuvadzwewo, arova mumwe ngaarohwewo. “Kana munhu akarova ziso romuranda wake, wechirume kana wechikadzi akaritushura, ngaasunungure muranda wacho aende zvake pamusana peziso rake. Kana munhu akarova zino romuranda wake, wechirume kana wechikadzi, zino racho rikaguka, ngaasunungure muranda iyeyo pamusana pezino rake. “Kana mombe ikatunga munhu, murume kana mukadzi, akafa, mombe yacho ngaitemwe namabwe. Nyama yayo ngairege kudyiwa. Asi muridzi wayo ngaarege kupiwa mhosva. Asi kana mombe yacho yaiva nomusambo wokutunga vanhu, muridzi wayo akamboyambirwa akarega kuichengeta, kana ikazouraya munhu, murume kana mukadzi, mombe iyoyo ngaitemwe namabwe ife. Muridzi wayo ngaaurayiwewo. Asi kana muridzi wemombe iyoyo akanzi aripe, ngaaripe zvose zvinotemwa nedare kuti iye agorega kuurayiwa. Kunyange mombe ikatunga mwana mukomana kana musikana ikamuuraya, mutongero wacho mumwechetewo. Kana mombe ikatunga muranda wechirume kana wechikadzi, muridzi wayo ngaaripe tenzi womuranda iyeyo mari yamashekeri esirivha makumi matatu. Mombe yacho ngaitemwe namabwe ife. “Kana munhu akasiya zvake mugodhi usina kukwidibirwa, kana kuti ochera mugodhi osiya usina kukwidibirwa, mombe kana dhongi rowira imomo, muridzi womugodhi ngaaripiswe. Ngaape mari kumuridzi wechipfuwo chafa, iye achitore chive chake. Kana mombe yomunhu ikatunga mombe yomumwe ikafa ngavatengese mombe yatunga imwe vagoverane mutengo wacho. Ngavagovanewo nyama yemombe yafa iya. Kana mombe yacho yanga iinomusambo wokutunga dzimwe, muridzi wayo akasaichengeta, muridzi wayo ngaabvise mombe chaiyo inotsika yokuripa inenge yaurayiwa. Asi mombe inenge yafa yacho ichava yanyakuripa mombe uya. “Kana munhu akaba mombe kana hwai akaiuraya, kana kuti akaitengesa, ngaaripiswe mombe shanu pamombe imwechete; pahwai imwechete ngaaripiswe hwai ina. Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa ikafa, munhu anenge aiuraya haapiwe mhosva yokuponda munhu. Asi kana zvikaitika ari masikati machena, ane mhosva yokuponda munhu. “Mbavha ngairipiswe zvakakwana, kana isina chainacho, ngaitengeswe pawanikwe muripo wezvayakaba. Kana akanga aba mombe kana kuti dhongi kana hwai, akazowanikwa ainayo iri mhenyu, ngaaripe muripo wakapetwa kaviri. “Kana munhu achingunofudza zvipfuwo zvake mumunda wake wembesa kana kuti wemichero, akarega zvipfuwo zvake zvichindodya mumunda womumwe wembesa, ngaaripiswe mbesa nemichero yakanyatsosvika yomumunda make. “Kana moto ukabatidzwa ukaenderera nomuminzwa kumunda womumwe, ukandopisa mbesa dzake dzakaunganidzwa kana kuti dzimire, munhu anenge atungidza moto iwoyo ngaaripiswe chaizvo. “Kana munhu akachengeteswa mari kana kuti zvinhu zvinokosha, zvobva zvabirwa mumba make, kana mbavha ikazozikanwa, ngairipiswe kanopetwa kaviri. Kana mbavha ichinge isina kuzikanwa, muridzi wemba iyeyu nyakubirwa ngaaunzwe kuna Mwari kudare azopika mhiko yokuti haana kuba zvinhu zvaakanga akachengeteswa. “Ngatitii vanhu vaitirana nharo pamusoro pechinhu chisiri kuzikanwa kuti ndechaani, ingave mombe kana dhongi kana kuti hwai kana hanzu chero chinhu chipi zvacho chakarasika. Vanhu vanenge vachiitirana nharo ivavo ngavaunzwe kuna Mwari kudare. Anenge anzi ane mhosva naMwari, ngaaripe mumwe wake kakapetwa kaviri. “Kana munhu achinge achengetesa mumwe wake dhongi kana mombe, kana kuti hwai yake, kana chimwe zvacho chipfuwo chake, chikazofa, kana kukuvara, kana kupambwa, pasina mumwe akazviona, munhu iyeyo ngaapike nezita raTenzi kune muridzi wacho kuti haana kuchitsakatisa. Muridzi wacho ngaagamuchire zvinenge zvarehwa. Nyakuchengeteswa haazosungirwa kuripa. Asi kana zviri zvechokwadi kuti chakabiwa, nyakuchichengeteswa ngaaripe muridzi wacho. Kana chipfuwo chacho chichinge chakaparadzwa nechikara, ngaauye aratidze dare zvakasiyiwa nechikara, haazoripiswa. “Kana munhu achinge akumbira chipfuwo kuno mumwe, chikakuvara, kana kufa, muridzi wacho asipo, uya anga achikumbira anofanira kutoripa. Asi kana zvaitika muridzi wacho aripo, haaripiswe. Kana changa chichishandisirwa mari, chinongoripwa mari yebasa rachaita chete. “Kana murume akanyengetedza mhandara inenge isati yatumirwa mari yokuroora, akatadza naye, ngaabvise pfuma yose yokumuroora ave mukadzi wake. Kana baba vomusikana varambisisa kuti murume iyeyo amuroore, ngaangobvisiswa muripo unokwanirana neroora rinobvisirwa mhandara. “Usamborega zvako munhukadzi anenge ari muroyi ari mupenyu. “Munhu anenge aita chakaipa nemhuka ngaaurayiwe. “Munhu anopira chibayiro kuna vamwe vamwari, vasirini Tenzi ngaaurayiwe. “Usaitire mutorwa zvakaipa kana kumubata nenzira isina kunaka nokuti imi maivawo vatorwa munyika yeIjipiti. Musatambudze chirikadzi kana nherera. Kana ukavatambudza vakachema kwandiri, chokwadi ndichanzwa kuchema kwavo. Ndichaviruka nehasha ndigokuurayisai muhondo nebakatwa. Madzimai enyu achasara ava chirikadzi, vana venyu vachivawo nherera. “Kana ukakweretesa mari kune mumwe wavanhu vangu vaugere navo, anenge ari murombo usazoita zvinoitwa navanhu vane basa rokukweretesa mari, usaite chimbadzo. Kana ukabatira jasi romunhu anenge akakukwereta, mudzosere jasi rake zuva risati radoka nokuti ndiro chete raanaro rokufuka. Ko angavate akafukeiko kana asina jasi rake? Kana akazochema kwandiri ndichamunzwa nokuti ndine tsitsi. “Usashore Mwari, usamboti mutongi wako dai awana chinomuwana. “Usanonoke kupira kwandiri mipiro yako yezvinhu zvako zvose zvinoti mbesanwa newaini neyamafuta eorivhi. Unofanira kunditurira vanakomana vako vamatangwe. Itawo zvimwechetezvo nedangwe remombe yako kana rechimwe chipfuwo, ngariregwe riina amai varo kwamazuva manomwe mozoripira kwandiri pazuva rorusere. “Imi munofanira kuva vanhu vatsvene vakatsaurirweni, saka musadye nyama yechinhu chipi zvacho chinenge chaurayiwa nezvikara zvesango, asi ipai imbwa. “Usafambise makuhwa. Usarangane nomunhu ane mhosva kuti uzomupupurira zvenhema. Usaite chinhu chakaipa pamusana pokuti chiri kuitwa navanhu vazhinji, kana kungotevera ruzhinji mukupupurira zvisiri zvechokwadi padare. Tonga mhosva yomurombo nomazvo usingamupembedzi nokuda kwokuti murombo. “Kana ukaona mombe kana kuti dhongi romuvengi wako rarasika unofanira kuridzorera kwaari. Kana ukaona dhongi romuvengi wako rawira pasi rakatsitsirirwa nomutoro waro, mubatsire kurimutsa, usangosiya zvakadaro. “Usaminamise mhosva yomurombo padare uchirega kuitonga nomazvo. Siyana nokupomera vanhu mhosva dzavasina, urege kuti munhu asina mhosva, mururami aurayiwe. Ndinodaro nokuti muipi handingati haana mhosva. Usagamuchire pfumbamuromo nokuti pfumbamuromo inopofomadza vari pazvigaro zvoukuru, ichitadzisawo mururami kutaura chokwadi. “Usabate mutorwa zvakaipa. Imi munoziva wani upenyu hwomutorwa nokuti imi maivawo vatorwa kunyika yeIjipiti. “Rima zvako munda wako kwamakore matanhatu, uchikohwa mbesa dzawo. Asi pagore rechinomwe, rega usaruke usina kuurima uchiuzorodza kuitira kuti varombo vokwenyu vadye zvavo mahoko acho. Uye mhuka dzesango dzidyewo zvaunosiya. Itai zvimwechetezvo neminda yenyu yemigirepisi neyemiorivhi. “Kwamazuva matanhatu ita zvako basa rako rose, asi pazuva rechinomwe zorora kuitira kuti mombe namadhongi ako azorore, vana vavaranda vako navatorwa vambofurwawo nemhepo. Chenjererai kuita zvose zvandakuudzai, musambodoma zvenyu vamwe vamwari nezita, kunyange zvako kuvati muromo bufu. “Munofanira kuchengeta mazuva makuru okundipemberera, katatu pagore. Munochengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso sezvandakakuudzai, mudye chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe panguva yawo yakatemwa mumwedzi waAbhibhi nokuti mumwedzi iwoyo makabuda muIjipiti. Hakufanire zvako kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata maoko chete. “Uyewo munochengeta zuva rokupemberera kukohwa muchipemberera zvirimwa zvokutanga kukohwa zvebasa ramunenge maita muminda yenyu. “Pakupera kwegore, chengetai zuva rokupemberera kuunganidza mbesa, pamunenge maunganidza mbesa dzenyu nezvamaikohwa muminda. Vanhu venyu vose varume vanofanira kuuya kuneni Tenzi Mwari, katatu pagore. “Musapire kwandiri ropa rechibayiro pamwechete nechingwa chine mbiriso. Mafuta ezvibayiro zvamunondibayira pamazuva makuru musaasiye kusvikira mangwana. “Mbesanwa dzinotanga kuibva dzokutangatanga dzacho, uya nadzo kuimba yaTenzi, Mwari wako. Usabike hwayana kana mbudzana nomukaka wamai vayo. “Chinzwai, ndava kutuma mutumwa wangu achakutungamirirai, achikuchengetai murwendo, anondokusvitsai kunyika yandakakugadzirirai. Muteererei muite zvaanoreva, regai kumupandukira, haazokuregererai zvamunenge makanganisa nokuti ndini ndamutuma muzita rangu. Asi imi mukanyatsoteerera zvaanoreva, muchiita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi wavavengi venyu, nemhandu yemhandu dzenyu. Ndinodaro nokuti mutumwa wangu achakutungamirirai, achikusvitsai kuvaAmori, navaHiti navaPerizi navaKanani navaHivhi navaJebhusi, vandichaparadza. Musapfugamire vamwari vavo, kana kuvanamata, kunyange kutevedzera zviito zvavanhu ivavo. Asi nyatsoputsai zvifananidzo zvavo zvokunamata, muparadze shongwe dzamabwe dzakamisirwa vamwari vavo. Namatai ini Tenzi, Mwari wenyu. Ini ndinozokukomborerai ndichikupai zvokudya nemvura, ndichibvisa zvirwere pakati penyu. Hapachazova nomukadzi anobva pamuviri, kana kushaya mbereko. Ndichakupai upenyu hurefu. Kwamunoenda kwose, ndichaita kuti vafanova mbwende nokukutyai, ndichadzungaidza ndudzi dzoko. Vavengi venyu vose ndichaita kuti vakufuratirei vati ware kutiza. Ndichatyisidzira vavengi vaHivhi navaKanani navaHiti vagoti ware kukutizai savanhu varumwa namago. Handizovadzinga vose negore rimwechete nokuti kana ndikadaro nyika ingasare isina vanhu, zvikara zvikakuwandirai. Kashoma nakashoma ndichafanokudzingirai vanhu ivava kudzamara imi mazova vazhinji, nyika maiita yenyu. Miganho yenyu ichatangira pagungwa Dzvuku kundosvika kugungwa ravaFirisitia, ichitangirawo murenje kundosvika muna Yufuratesi, nokuti ndichaisa vagari venyika iyoyo mumaoko enyu. Musaite chitenderano navo, kana navamwari vavo. Musarege vanhu ivavo vachigara munyika menyu, vangadaro vakazokufurirai mukazonditadzira nokuti kana mukanamata vamwari vavo kuteyiwa chaiko kwamatoitwa.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Tora Aroni naNadhabhu naAbhihu navakuru vakuru makumi manomwe vevaIsiraeri, mukwire muno mugomo mandiri. Musati masvika pandiri pfugamai mundiremekedze. Iwe Mosesi ndiwe woga uchasvika pedyo neni Tenzi, asi vamwe ngavarege kuswedera pedyo, vamwe vanhu ngavarege kukwira muno newe.” Mosesi akandoudza vaIsiraeri zvose zvakarehwa naTenzi nemirao yose. Vanhu vose vakapindura pamwechete vachiti, “Tichaita zvose zvataurwa naTenzi.” Mosesi akanyora mashoko ose aTenzi. Kuzoti kwaedza akafumomuka ndokuvaka atari mujinga megomo. Akamisa mabwe gumi namaviri anomirira madzinza evaIsiraeri gumi namaviri. Ipapo Mosesi akatuma mamwe majaya echiIsiraeri, akandopira zvibayiro zvokupisa, akapirawo zvibayiro zvemipiro yokuwadzana zvemombe kuna Tenzi. Mosesi akatora rimwe ropa rezvibayiro ndokuriisa mumidziyo. Rimwe racho akasasa naro atari. Akazotora bhuku rechitenderano akariverenga vanhu vachinzwa. Vanhu vakati, “Zvose zvarehwa naTenzi tichazviita, tichava vanhu vanoteerera.” Mosesi akatora ropa riya ndokurisasa pavanhu, achiti, “Ropa iri, nderechitenderano chaTenzi chaaita nemi maererano nemirao yaakupai.” Mosesi naAroni naNadhabhu naAbhihu navakuru vakuru vevaIsiraeri makumi manomwe vakakwiramo, vakaona Mwari weIsiraeri. Pasi petsoka dzake painge pane ruware rwakaita samabwe anokosha esafaya, rwakati ngwerewere sokunze sezvakangoita mudenga'mu. Asi haana kuparadza vakuru vakuru vevaIsiraeri ivavo. Vakaona Mwari, kudya vakadya, kunwa vakatonwawo zvavo. Tenzi akati kuna Mosesi, “Kwira mugomo muno mandiri umbogaramo, ndizokupa mafendefa maviri amabwe ane mitemo nemirao yandakanyorera kudzidzisa vaIsiraeri.” Mosesi naJoshuwa, mubatsiri wake, vakasimuka. Mosesi akakwira mugomo raMwari. Akasiya audza vatungamiriri vaya kuti, “Imi imbotimirirai pano, kudzamara tadzoka kuno kwamuri. Zvavapo ndezvizvi, Aroni naHuri ndivo vamuchasara navo. Anenge ane chanyanya kunetsa ngaaende kundoona ivava.” Mosesi akakwira mugomo, gore ndokubva rati gude gude kufukidza gomo iroro. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakauya pagomo reSinai, gore rikafukidza gomo iroro kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe, iye ari mukati megore akadaidzira kuna Mosesi. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwakaita somoto wairirima pamusoro pegomo pakuona kwavaIsiraeri. Mosesi akapinda mugore muya, akakwira mugomo. Akagaramo siku nesikati, kwamazuva makumi mana. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri vapire zvipo kwandiri. Munhu mumwe nomumwe ngaapire kwandiri chipo chaanoda nomwoyo wakasununguka, iwe uchindigamuchirira. Zvipo zvaungagamuchire kwavari ndezvizvi zvinoti; ndarama nesirivha nendarira, kwouya machira erineni akanakisisa nezvivhimbo zveruvara rwedenga nezveruvara rwehute nezvitsvuku nemvere dzembudzi, kwoti matehwe ehondohwe akatsvukiswa kwotiwo matehwe etahashi, namapango omuunga, uyewo mafuta okuisa mumarambi netunonhuhwirira twamafuta okuzodzesa notwomurusenzi, ndokuzotiwo tumabwe tunokosha tweonikisi notumwe tumabwe tunokosha twokuisa pahanzu yeefodhi napanyembe yapadundundu. VaIsiraeri ngavandigadzirire nzvimbo inoera kuti ndigare pakati pavo. Unofanira kugadzira tendhe rinoera iroro pamwechete nemidziyo yaro nomutoo chaiwo wandinokuratidza. “Vanofanira kugadzira bhokisi rechitenderano ramapuranga omuunga. Urefu hwaro huri masendimita zana rine gumi, upamhi hwaro huite masendimita makumi matanhatu, kudzika kwaro ngakuitewo masendimita makumi matanhatu namatanhatu. Ngarinamirirwe nendarama chaiyo yakanakisisa mukati nokunze, uritenderedze kumusoro kwaro nomukombero wendarama. Unorigadzirira maringi mana endarama ugoaisa pamakumbo mana ebhokisi. Maringi maviri ngaaiswe kurutivi rumwe, mamwe maviri aiswewo kurutivi rumwe. Unoveza mapango omuunga, woanamirira ndarama, wopinza mapango iwayo mumaringi aya ari pamativi ebhokisi kuti uwane chokuritakurisa nacho. Mapango iwayo anofanira kugara ari mumaringi ebhokisi, arege kubviswamo. Unozoisa mafendefa echitenderano andichakupa mubhokisi imomo. “Unofanirawo kugadzira hwidibiro yendarama chaiyo yakanakisisa. Urefu hwayo huite masendimita zana rine gumi. Upamhi hwayo huite masendimita makumi matanhatu ane matanhatu. Unofanira kutora ndarama wogadzira mifananidzo miviri yezvisikwa zvinonzi makerubhu, woita zvokuzvipfura wozviisa pamativi maviri ehwidibiro. Unoita makerubhu pahwidibiro iyoyo akati uku rimwe uku rimwe, uagadzire akabatana nayo ari kumapeto maviri ehwidibiro. Ndiko kuagadzira kwauchaaita. Makerubhu iwayo ngaasimudzire mapapiro awo kumusoro akafukidza hwidibiro namapapiro awo akatarisana iwo akatarisa pahwidibiro, woisa mafendefa echitenderano andichakupa mubhokisi, uripfige nehwidibiro. Ipapo ndipo pandichauya kuzosangana newe. Ndichataura newe ndiri pakati pamakerubhu maviri anenge ari pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, ndichikuudza zvandinoda kuti vaIsiraeri vaite. “Unofanira kugadzira teburu yamapuranga omuunga. Kureba kwayo ngakuite masendimita makumi masere ana masendimita masere, kufara kwayo kuchiita masendimita makumi mana ana masendimita mana, udzami hwayo huite masendimita makumi matanhatu ana masendimita matanhatu. Ngarinamirirwe nendarama chaiyo yakaisvonaka, uitenderedze nomukombero wendarama. Unoigadzirira mupendero unoipoteredza une upamhi sehwechanza, uise kamutsetse kendarama kunze kwawo kakapoteredza mupendero iwoyo. Unogadzira maringi mana endarama woaisa pamakona mana ari pamakumbo ayo. Maringi anopfekerwa mapango okutakurisa teburu ngaaiswe pedyo nomupendero uyu. Unozoveza mapango omuunga okutakurisa teburu yacho woanamirira nendarama, woigadzirira ndiro dzayo namadhishi ayo orusenzi, namajagi ayo nemidziyo yayo yokushandisa pamupiro wokuteura. Midziyo yose iyoyi ngaigadzirwe nendarama chaiyo yakanakisisa. Pateburu ipapo, ndipo paunozoisa chingwa chepandinenge ndiri chinogara chiri pandichange ndiri misi yose. “Unofanira kugadzira minora, chigadzikiro chomwenje chendarama chaiyo yakanakisisa. Chigadzikiro ichocho pamwechete negaro racho nehunde yacho, ngazvigadzirwe nendarama yakapfurwa. Ugadzire makapu acho namaruva acho akazaruka namamwe asati azaruka, uanamire pachigadzikiro zvibatane. Pamativi acho ngapave namapazi matanhatu, achiti uku matatu, uku matatu. Bazi rokutanga kune rumwe rutivi, ngarigadzirirwe makapu matatu anenge maruva omuarimondi akazaruka nemamwewo asati azaruka. Bazi rechipiri kune rumwe rutivi, ngarigadzirirwewo makapu anenge maruva akazaruka neasati azaruka. Ngazviitwe zvimwechetezvo pamapazi ose ari matanhatu. Hunde yechigadzikiro ngainamirwe makapu mana anenge maruva omuarimondi akazaruka neasati azaruka. Pose pose panosangana hunde namapazi maviri nechepasi pawo ose ari matanhatu, ngapanamirwe ruva rimwechete rendarama risati razaruka. Chigadzikiro namapazi acho namaruva acho, ngazvinamirwe zvive chinhu chimwechete chakapfurwa nendarama chaiyo. Unozogadzira marambi manomwe echigadzikiro uanamire pachiri kuti avhenekere mberi kwacho. Unofanira kugadzira zvigero zvokuchekesa tambo dzacho, ugadzirewo tireyi dzacho duku, ngazvive zvendarama chaiyo yakanakisisa. Chigadzikiro chomwenje nemimwe midziyo yacho yose, ngazvigadzirwe nendarama chaiyo yakanakisisa inorema makirogiramu makumi matatu namashanu. Unofanira kugadzira zvinhu izvozvi usingasiyanisi nezvandakuratidza mugomo muno. “Unofanira kugadzira tendhe rinoera sezvizvi: unotora machira gumi makuru okudzikatirisa ugadzire tendhe rinoera. Machira ngaave erineni akanaka akarukirirwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku worukira mifananidzo yamakerubhu pamachira iwayo. Machira acho ose ngaave akaenzana, kureba kwejira rimwe nerimwe ngakuite mamita gumi namaviri, kufara kwaro kuite mamita maviri. Pamachira okudzikatirisa iwayo, mashanu acho ngaasonanidzwe pawo oga, mamwewo mashanu asonanidzwewo ari pawo oga. Usungewo zvishwe zvomucheka woruvara rwedenga pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye okutanga, uite saizvozvo pamupendero wejira rokunzekunze pamachira echipiri aya. Unosunga makumi mashanu ezvishwe pamupendero wejira rokunzekunze pamachira okutanga aya, wosungawo zvimwe zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye echipiri, zvishwe izvozvo zvisungirirwe zvakatarisana. Unozogadzira zvokukochekeresa zvendarama makumi mashanu, ukochekedze machira maviri aya okudzikatirisa ave tendhe rimwechete. “Denga retendhe unorigadzirira machira makuru emvere dzembudzi okuisapo, unoagadzira ari machira okudzikatirisa gumi nerimwechete. Machira acho ose ari gumi nerimwechete, ngaave akaenzana. Kureba kwejira rimwe nerimwe ngakuite mamita gumi namatatu, kufara kwaro kuite mamita maviri. Pamachira iwayo, mashanu acho ngaasonanidzwe pawo oga, matanhatu acho asonanidzwewo ari pawo oga. Jira rechitanhatu rinopfuurira nechepamusuo petendhe ngaripeterwe padenga ruviri. Unosunga makumi mashanu ezvishwe pamupendero wejira rokunzekunze pamachira okutanga aya, usungewo zvimwe zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aya echipiri. Unozogadzira zvokukochekeresa nazvo makumi mashanu zvendarira, ukochekedze machira maviri aye muzvishwe ave rimwechete. Rimwe jira riya rinosara rakapfuurira mamwe ngarirembere necheseri kwetendhe. Jira rapadenga rinofanira kupfuurira hwasha hwedenga richiti uku ropfuurira namasendimita makumi mashanu, ukuwo ropfuurira namasendimita makumi mashanu rorembera kumativi maviri kuti rifukidze tendhe rinoera. “Uyewo wozoita madahunha maviri, rimwe racho riite ramatehwe ehwai akasukwa akatsvukiswa, rimwe riri ramatehwe etahashi. “Unofanira kuveza mapango omuunga okumisa chengo chetendhe rinoera. Mapango acho ngaave mamita mana kureba, aine upamhi makumi matanhatu amasendimita ane masendimita matanhatu. Unotema zviga zviviri pabango roga roga zvinobatsira kuti mapango anyatsoti gedye gedye kubatana. Ndizvo zvaunofanira kuita namapango ose etendhe rinoera. Unogadzirawo mapango makumi maviri okumisisa tendhe rinoera kumaodzanyemba, woita zvigadzikiro zvesirivha makumi mana zvokumisa mapango iwayo. Pabango rimwe nerimwe ngapave nezvigadzikiro zviviri. Zvigadzikiro izvozvo ngazvigumane musana pasi pezviga zviya zvamapango. Kudivi rechipiri, kuchamhembe kwetendhe rinoera, ngakumiswe mapango makumi maviri ane zvigadzikiro zvawo zvesirivha zvinokwana makumi mana, pabango roga roga zvigadzikiro zviviri. Kuseri kwetendhe rinoera nechokumadokero ngakuvezerwewo mapango matanhatu. Unofanira kuveza mapango maviri maviri okuisa pamakona maviri okuseri kwetendhe. Pamakona iwayo, mapango maviri epo, nechepasi, ngaarege kuti kwati kwati, kumusoro kwawo ngaabatane paringi rokutanga, ndozvaachange akaita ose ari maviri, ndiwo achave pamakona ose iwayo ari maviri. Saka kuseri kwetendhe kuchava namapango masere ane zvigadzikiro zvawo zvesirivha gumi nezvitanhatu akati, bango iri nezvigadzikiro zvaro zviviri, iriwo nezvigadzikiro zvaro zviviri. “Unofanira kugadzira mbariro dzomuunga, shanu ngadzive dzokubatanidza mapango orutivi rumwechete rwetendhe, dzimwe shanu dzive dzokubatanidza mapango orumwe rutivi, kwouyawo dzimwe shanu dzokubatanidza mapango okumadokero kuseri kwetendhe. Rumbariro rwapakati ngarutenderere namapango ose nechapakati napakati pawo, kusvika kunze nokunze. Mapango ose nembariro dzose ngazvinamirirwe nendarama. Maringi endarama anopfekerwa mbariro ngaaiswe pamapango iwayo. Saka unofanira kugadzira tendhe rinoera iroro usingasiyanise nezvandakuratidza mugomo muno. “Unofanira kutora machira erineni yakanakisisa ugadzire jira rechidzikatiro, urirukire uchirishongedza newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Ushongedze jira iroro uchirirukira zvakanakisisa makerubhu. Jira rechidzikatiro unoriturika pamapango mana omuunga akanamatidzwa ndarama, ane zvipikiri zvendarama nechokumusoro, dzinomiswa pazvigadzikiro zvina zvesirivha. Unorembedza jira rechidzikatiro pane zvokukochekera izvozvo, uise bhokisi rechitenderano mutendhe rinoera munzvimbo iri kuseri kwejira rechidzikatiro. Jira rechidzikatiro ndiro richakamuranisa tendhe kuita nzvimbo mbiri dzinoti: nzvimbo inoera nenzvimbo inoeresesa. Unozoisa hwidibiro pabhokisi rechitenderano riri munzvimbo inoeresesa, woisawo teburu munzvimbo inoera nechokuchamhembe. Chigadzikiro chomwenje uchiise pakatarisana neteburu iyoyo nechokumaodzanyemba. “Unofanira kugadzira jira rokudzikatirisa rokuisa pamusuo wetendhe. Ngarigadzirwe namachira erineni akanakisisa akarukirwa achishongedzwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Unogadzira mapango mashanu omuunga okubata jira iroro, wonamirira mapango acho ndarama. Ngaave nezvipikiri zvawo zvendarama nezvigadzikiro zvishanu zvendarira. “Unofanira kuita atari namapango omuunga akavezwa. Kureba kwayo ngakuite mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo huve mamita maviri ane masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kuve mita imwechete ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari iyoyo ngaave akaenzana. Unofanira kuveza zvinenge nyanga zvina zvepamusoro pemakona mana eatari, izvozvo ngazvive zvakavezwa zvakabatana neatari iyoyo. Atari ngainamirirwe noutare hwendarira. Wozogadzirawo migomo yokubvisira dota, namafoshoro nembenge namaforogo okubayisa nyama namagwati okugokesa moto. Unofanira kugadzira midziyo iyoyi yose nendarira. Uyezve uigadzirire sefa yendarira. Pasefa iyoyo isa maringi mana endarira pamakona ayo mana, uiise nechepasi pomupendero wapamusoro peatari, irembere zvokusvika pakati napakati peatari. Unofanira kuveza mapango omuunga epaatari, anamirirwe nendarira. Pakutakura atari, mapango iwayo ndookuitakurisa, ngaapfekerwe mumaringi ari mumativi ayo maviri akati uku rimwe uku rimwe. Atari ngaigadzirwe namapuranga iine zimhango risina chinhu. Ngaiitwe sezvawaratidzwa mugomo. “Unofanira kugadzira nhandare yetendhe rinoera. Kurutivi rwokumaodzanyemba rwenhandare iyoyo ngakuve namachira okudzikatirisa erineni akanakisa ose pamwechete aite mamita makumi mana ana mana kureba. Ngapave namapango awo makumi maviri ane zvigadzikirowo zvawo zvendarira makumiwo maviri. Zvipikiri zvapamapango okupfekera machira iwayo ngazvive zvesirivha. Saizvozvo kuchamhembe kwayo ngakuvewo namachira okudzikatirisa aitewo makumi mana amamita ana mamita mana kureba. Mapango awo ngaave makumi maviri nezvokugadzikirawo zvawo zvendarira makumi maviri, asi zvipikiri zvacho nomupendero wacho ngazvive zvesirivha. Hwasha hwenhandare iyoyo kumadokero, ngakuve namachira okudzikatirisa ana mamita makumi maviri namaviri kureba namapango gumi ane zvigadzikiro zvawo gumi. Hwasha hwenhandare iyoyo kumabvazuva, kune musuo wayo, ngakuite mamita makumi maviri ana maviri. Machira okudzikatirisa orutivi rumwechete rwokumusuo ngaave mamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu. Ngapavewo namapango matatu ane zvigadzikiro zvawo zvitatu. Rimwe divi, machira iwayo okumusuo ngaave namamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu, kuine mapango matatu ane zvigadzikiro zvawo zvitatu. Pasuo guru rokupinda munhandare ngapave nejira rokudzikatirisa rine upamhi mamita mapfumbamwe rakagadzirwa namachira erineni akanakisisa, akarukirwa achishongedzwa newuru yoruvara rwedenga neyoruvara rwehute netsvuku, rine mapango mana ane zvigadzikiro zvina. Mapango ose akapoteredza ruvanze ngaabatanidzwe nembariro dzesirivha. Zvipikiri zvokukochekera machira ngazvive zvesirivha, zvigadzikiro zvawo zvive zvendarira. Kureba kwenhandare ngakuite mamita makumi mana ana mamita mana, kufara kwayo, kuite mamita makumi maviri ana mamita maviri, nokukwira kwejira ngakuitewo mamita maviri ana masendimita makumi maviri, unamachira okudzikatirisa erineni yakanakisisa, namapango nezvigadzikiro zvendarira. Zvinhu zvose zvamunoshandisa mutendhe rinoera, nehoko dzose dzetendhe, nehoko dzose dzamachira okukomberedza ruvanze, ngazvive zvendarira. “Iti vaIsiraeri vakupe mafuta akanakisisa eorivhi, okudira mumarambi echigadzikiro chomwenje achagara akatungidzwa, mutendhe rokusanganira kuseri kwechidzikatiro pakatarisana nebhokisi rechitenderano, Aroni navanakomana vake vaagadziridze arare achivhenekera paneni Tenzi kubvira manheru kudzamara kwaedza. VaIsiraeri ngavachengete murao wangu iwoyu narini wose pazvizvarwa zvavo zvose. “Unozofanira kuti mukoma wako Aroni navanakomana vake Nadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru vauye kwauri, unditsaurire ivavo pakati pavaIsiraeri vandishandire savapristi. Unogadzirira mukoma wako Aroni hanzu dzinoera dzakanaka dzinopa chiremera, utaurirewo vanhu vose vandakapa unyanzvi hwokuita mabasa, vasonere Aroni hanzu agadzwe basa rokundishandira roupristi. Hanzu dzavachagadzira ndedzidzi: nyembe yapadundundu nehanzu yeefodhi negemenzi nehanzu yakarukwa inenge yoda kusvika mumabvi, ina mavara mavara, nengundu nomundya. Ngavasonere mukoma wako Aroni, navana vake vakomana hanzu idzodzi dzinoera kuti vandishandire basa roupristi. Ngavashandise machira erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku pamwechete neyendarama. “Hanzu yeefodhi ngaigadzirwe namachira erineni akanakisisa akanyatsogadzirwa zvakanakisisa, irukirwe newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku neyendarama. Ngaive nezvipenga zviviri zvapamapfudzi zvakasonererwa pairi kuti ikwanise kukoperwa. Unofanira kuiitira mundya wakanyatsorukwa wejira rimwechetero rakagadzirwa zvimwechetezvo wakarukirirwa neshinda yendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku nerineni yakanakisisa. Uyewo unozotora mabwe anokosha maviri eonikisi, unyore paari mazita avana vavaIsiraeri vakomana gumi navaviri. Unonyora mazita matanhatu pane rimwe ibwe, wonyorawo mamwe mazita matanhatu pane rimwe racho. Mazita iwayo ngaanyorwe achitevedza mazero okuberekwa kwavo. Unonyora pamabwe iwayo sezvinoita nyanzvi inonyora pamabwe anokosha, unyore mazita avana vaIsiraeri vakomana, uise mabwe maviri iwayo patusefa twesimbi twendarama. Unoisa mabwe iwayo ari maviri pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi kuti ave mabwe anomirira marudzi ose avaIsiraeri. Naizvozvo Aroni achatakura mazita iwayo pamapfudzi ake, pana Tenzi kuti ave chiyeuchidzo. Uyewo unogadzira tusefa twesimbi tuviri twendarama twokunamatidzira mabwe, wozogadzira tucheni tuviri twakakoswa twendarama chaiyo yakanakisisa unamatidze tucheni twakakoswa itwotwo patusefa twesimbi twacho. “Unofanira kugadzira nyembe yepadundundu yokutonga nayo, yakanakisisa yakaitwa sezvakaitwa efodhi yakagadzirwa nejira rerineni rakanakisisa, rakarukirwa neshinda ine ruvara rwendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Ngaive yakapetwa ruviri iine mativi mana akaenzana. Kureba nokufara kwayo ngakuite masendimita makumi maviri ana maviri. Unoisa pairi mitsara mina yetumabwe tunokosha. Mutsara wokutanga ngauve nekatombo kerubhi netopazi neganeti. Mutsara wechipiri ngauve nekeemeradhi nesafaya nedhaimondi. Mutsara wechitatu ngauve neketekoizi, neagati, neamatesiti. Mutsara wechina ngauve nebherini neonikisi nejasipa. Tumabwe itwotwo ngatuiswe patusefa twesimbi twendarama twokuisa paturi mabwe. Panofanira kuva notumabwe gumi notuviri tune mazita atwo twakangoenzanirana namazita avana vaIsiraeri vakomana. Kamwe nekamwe kaine zita rako, twakamirira madzinza gumi namaviri avaIsiraeri twakanyorwa sechidhindo. Unozogadzira tucheni tuviri twakakoswa twendarama chaiyo yakanakisisa twokuisa panyembe yepadundundu, wozogadzirawo maringi maviri endarama anosonerwa pamakona maviri ekumusoro kwenyembe yepadundundu. Unofanira kusungirira tucheni tuviri twakakoswa twendarama itwotwo pamaringi maviri ekwokupedzesera kwenyembe yepadundundu. Unobatanidza mumwe muromo wetucheni tuviri twokumusoro itwotwo notusefa twesimbi twendarama tuya twepamapfudzi, mberi kweefodhi. Uyewo unozogadzira maringi maviri endarama, woasonerera nechomukati menyembe yapadundundu, pamakona ezasi, pedyo neefodhi. Unozogadzirawo mamwe maringi maviri endarama, woasonerera pamindya yeefodhi nechapamusoro pomundya uya wakanyatsorukwa womuchiuno nechapadumbu. Vanofanira kusungirira nyembe yepadundundu nomundya weruvara rwedenga vachisunganidza maringi ari panyembe yepadundundu namaringi ari paefodhi, kuitira kuti nyembe yepadundundu igare yakasimba iri pamusoro pomundya wakanyatsorukwa uya womuchiuno. “Saka Aroni paanozopinda munzvimbo inoera achapfeka padundundu nyembe yokutonga nayo iya ina mazita avanakomana vavaIsiraeri gumi navaviri sechiyeuchidzo pana Tenzi. Unoisawo Urimu neTumimu munyembe yapadundundu yokutonga nayo, kuti Aroni, paanouya kuneni Tenzi ange ainazvo akazvipfeka pamwoyo kuitira kuti vaIsiraeri vagoziva chido chaTenzi. “Unofanira kugadzira hanzu yeefodhi nejira roruvara rwedenga chete. Ngaive nehuro pakati payo pokupinza napo musoro. Ngapave nomupendero wakarukwa uchipoteredza huro iyoyo sezvakangoita yehembe kuti irege kubvaruka. Pamupendero wayo wose wezasi unosonera zvinenge michero yamapomegiraneti zvoruvara rwedenga nezvoruvara rwehute nezvitsvuku, usonererewo tumadare twendarama pamupendero iwoyo wose. Unozvisonerera zvichitsinhana zvichiti: apa kadare kendarama apa kanenge muchero wepomegiraneti, apa kadare kendarama apa kanenge muchero wepomegiraneti, zvakatenderera nomupendero wose. Naizvozvo Aroni anofanira kupfeka hanzu iyoyo paanoita basa roupristi achiuya kwandiri. Tudare twacho tuchange tuchirira paanopinda napaanobuda muNzvimbo Inoera muneni Tenzi kuti arege kufa. Uyezve ugadzire karata kakanaka kendarama chaiyo yakanakisisa unyore pakari sechidhindo mazwi anoti; Nyakutsaurirwa Tenzi, ukasungirire pangundu nomucheka weruvara rwedenga, kari pamberi payo. Kachange kari pahuma yaAroni. Mhaka dzinenge dzaparwa navaIsiraeri pavanopira mipiro yavo mitsvene dzichange dzichitakurwa naAroni. Ngakarambe kari pahuma yake kuti igamuchirwe naTenzi. “Unofanira kugadzira jira rerineni rakanakisisa rina mavara mavara, usone hembe nengundu nomundya womuchiuno wakarukirwa uchishongedzwa. “Uye ugadzirirewo vanakomana vaAroni hanzu ndefu dzinoda kusvika mumabvi nemindya yokusunga muchiuno, nenguwani kuti vave nehanzu dzakanaka dzinopa chiremera. Unozopfekedza mukoma wako Aroni pamwechete navana vake vakomana hanzu idzodzo, wovazodza namafuta, uvagadze uchivateketerera kwandiri kuti vandiitire basa roupristi. Unovagadzirirawo mabhurukwa erineni anobva muchiuno achisvika mumabvi kuti miviri yavo irege kuonekwa pachena navanhu. Aroni navanakomana vake vanofanira kupfeka mabhurukwa iwayo pavanouya mutendhe rokusanganira napavanosvika paatari munzvimbo inoera kuzoita basa roupristi, kana vakasaapfeka vangadaro vakaparara vakafa. Aroni nezvizvarwa zvake zvose zvichauya ngavachengete mutemo iwoyo narini wose.” “Izvi ndizvo zvauchaita kuna Aroni navanakomana vake paunovateketerera kwandiri kuti vandiitire basa roupristi. Unotora handira ichiri duku imwechete nehondohwe mbiri dzisina chinoshoreka padziri, wotorawo chingwa chisina mbiriso, nechimwe chingwa chisina mbiriso choupfu hwakakanywa namafuta, nechingwa chakati fatata chisina mbiriso chakazorwa mafuta. Ngachive chakabikwa noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa. Unozviisa mutswanda, wouya nazvo zviri mutswanda imomo, uuyewo nehandira nehondohwe mbiri dziya. “Unofanira kuzounza Aroni navanakomana vake kumusuo wetendhe rokusanganira uvati vashambe nemvura, utore hanzu dziya upfekedze Aroni hanzu inoda kusvika mumabvi negemenzi reefodhi, neefodhi, nenyembe yapadundundu, umusunge muchiuno nomundya wakanyatsorukwa uya weefodhi. Unomupfekedza ngundu iya mumusoro, womoneredza ngundu iyoyo nekarata kanoera kaya, utore mafuta okuzodza woadira pamusoro wake, uchimuzodza. “Unofanira kuunzawo vana vake vakomana uvapfekedze hanzu dzinoda kusvika mumabvi, usunge vanakomana ivavo mindya muchiuno uvapfekedze nguwani. Basa iroro roupristi richava ravo narini narini. Uku ndiko kugadza kwauchaita Aroni navanakomana vake. “Unofanira kuzounza handira iya kumusuo wetendhe rokusanganira, Aroni navanakomana vake vaise maoko avo pamusoro wayo, ubayire handira iyoyo paneni Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira. Unozotora rimwe ropa rehandira iyoyo, unyike munwe wako urizore pane zvinenge nyanga zviri paatari. Ropa rose rinenge rasara ngaridururirwe pasi munyasi meatari. Mafuta ari pane zvomukati mehandira atore pamwechete nechinyama chepachiropa netsvo dziri mbiri pamwechete namafuta ari padziri, uzvipise paatari. Asi nyama yehandira iyoyo nedehwe rayo nechinzvinzvi chayo, ngazvipisirwe kunze kwamatendhe nokuti chibayiro ichochi chibayiro chokupfupira zvitadzo. “Unozotorawo imwe yehondohwe dziya, Aroni navana vake vakomana vaise maoko avo pamusoro wayo. Unouraya hondohwe iyoyo, wotora ropa rayo, worisasa paatari yose uchiitenderera. Unocheka-cheka hondohwe iyoyo, wosuka zvose zvomukati mayo namazondo ayo, woisa izvozvo zvose pamwechete namapandi enyama pamusoro wayo. Hondohwe yose iyoyo woipisa paatari, chibayiro ichochi, chibayiro chokupisireni Tenzi, chinonhuwira zvinondifadza, chinopirwa kuna Tenzi chichiita zvokupiswa nomoto. “Imwe hondohwe iya, unozofanira kuitora, Aroni navana vake vakomana vaise maoko avo pamusoro wayo. Unobaya hondohwe iyoyo, wotora rimwe ropa rayo, woriisa kwokupedzisira kwenzeve yokurudyi yaAroni, nekwokupedzisira kwenzeve dzavanakomana vake dzokurudyi, woisawo ropa pazvara zvavo zvokurudyi napazvigunwe zvavo zvikuru zvokurudyi. Ropa rose rinenge rasara unorisasa paatari yose uchiitenderera. Unozotora rimwe ropa riri paatari namamwe mafuta okuzodza, wozvisasa Aroni napahanzu dzake, wozvisasawo vanakomana vake vaanavo napahanzu dzavo. Aroni navanakomana vake vaanavo vacho vanobva vava vatsvene pamwechete nehanzu dzavo. “Unofanirawo kutora mafuta ehondohwe, nomuswe wayo wakakora, namafuta ezvomukati nechinyama chapachiropa netsvo dziri mbiri pamwechete namafuta ari padziri nechidya chokurudyi nokuti (hondohwe iyoyo ndiyo inopirwa pakugadzwa kwavapristi.) Mutswanda ine zvingwa zvisina mbiriso zvakapirwa kuneni Tenzi, unotora chingwa zvacho chimwechete nechimwe chakabikwa namafuta, nechimwe chakati fatata. Zvose izvozvo unozviisa mumaoko aAroni navana vake vakomana, vazvivheyese vachiita mupiro wokuvheyesa kwandirini Tenzi, wozozvitora mumaoko avo wozvipisira paatari kuwedzera chibayiro chokupisa chiya. Chibayiro ichochi chinonhuhwira zvinofadzeni Tenzi, chinopirweni Tenzi chichiita zvokupiswa nomoto. “Unofanira kutora chityu chehondohwe yokugadzwa kwaAroni, wochivheyesa uchiita mupiro wokusimudzira kuna Tenzi, ichocho ndiwo mugove wako. “Unoteketerera kwandiri chityu chehondohwe yokugadza ichocho chinenge chavheyeswa chomupiro wokusimudzirwa kuna Mwari nechidya chayo chomugove wavapristi nokuti ndezvaAroni navana vake vakomana. Zvichava zvaAroni navanakomana vake somugove wavo narini narini unobva kuvaIsiraeri nokuti mupiro unopirwa uchiita zvokusimudzirwa unobva pane zvinopirwa navaIsiraeri pamipiro yavo yokuwadzana, iwoyu mupiro wavo kuna Tenzi. “Hanzu dzinoera dzaAroni dzaanenge asiya, afa, dzichava dzavanakomana vake kuti vadzipfeke pavanozodzwa vachigadzwa upristi. Mwanakomana waAroni anenge azotora nzimbo yake youpristi, anenge achizopinda mutendhe rokusanganira kuti ashande ari munzvimbo inoera, anofanira kupfeka hanzu idzodzo kwamazuva manomwe. “Unofanira kutora nyama yehondohwe inopirwa pakugadzwa kwavapristi uibikire panzvimbo inoera, Aroni navanakomana vake vadyire nyama iyoyo pamwechete nechingwa chiya chakasara chiri mutswanda, kumusuo kwetendhe rokusanganira. Vanodya zvokudya izvozvo zvomupiro wokupfupira zvitadzo unopirwa pavanoteketererwa kwandiri vachigadzwa. Mumwe munhuwo zvake haabvumirwi kuzvidya nokuti zvinoera. Kana nyama nechingwa zvapaugadzo ihwohwo zvikafuma mangwana zvichiripo, ngazvipiswe nomoto. Ngazvirege kudyiwa nokuti zvinoera. “Ndozvauchaita pakugadza Aroni navanakomana vake uchitevera zvose zvandakuudza. Kuvagadza kwaunoita kunofanira kutora mazuva manomwe. Unopira handira yechibayiro chokupfupira zvitadzo pazuva roga roga, uyezve mupiro wokupfupira zvitadzo wokunatsa atari, woizodza mafuta okuieresa. Kwamazuva manomwe, pira zvibayiro zvokupfupira atari uchiitira kuti ive inoera. Atari ichava inoera kwazvo. Chii zvacho chinenge chazogunzvana neatari chinobva chava chinoera. “Zvamunofanira kuramba muchipira paatari ndezvizvi: hwayana mbiri dzine gore rimwechete pazuva roga roga. Imwe unoipira mangwanani, imwewo wozoipira kumanheru. Hwayana yokutanga unoipira pamwechete noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hunenge hwakakanyiwa namafuta okusvina eorivhi anoita rita rimwechete, udire rita rimwechete rewaini uve mupiro wokuteura. Hwayana yechipiri unoipira manheru pamwechete noupfu hwomupiro wembesanwa newaini yomupiro wokuteura sezvinenge zvaitwa pamupiro wamangwanani nokuti mupiro iwoyu unonhuhwirira zvinofadza, unopirwa kuna Tenzi uchiita zvokupiswa nomoto. Garai muchipira mupiro wokupisa wakadai pazvizvarwa zvenyu zvose muchiuitira kumusuo wetendhe rokusanganira paneni Tenzi kwandichasangana nemi kuzotaura newe. Ndikowo kwandichasangana navaIsiraeri, ichava nzvimbo inoera pamusana pokupenya kwokuvapo kwangu. Ndichaita kuti tendhe rokusanganira neatari zvive zvinhu zvinoera. Ndichaitawo kuti Aroni navanakomana vake vave vanhu vanoera, vandishandire savapristi. Ini ndichagara pakati pavaIsiraeri, ndiri Mwari wavo. Ipapo vachazoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wavo akavaburitsa munyika yeIjipiti kuti ndigare pamwechete navo. Ndini Tenzi, Mwari wavo. “Unofanira kuveza mapango omuunga, ugadzire atari panopisirwa rusenzi. Ngaive nourefu noupamhi hwakaenzana, kureba kwayo ngakuite masendimita makumi mana namashanu, upamhi hwayo ngahuitewo masendimita makumi mana namashanu, kukwira kwayo mudenga ngakuite masendimita makumi mapfumbamwe. Zvitanda zvina zvinenge nyanga zviri nechepamusoro pamakona ayo ngazvivezwe zvakabatana nayo, unamirire nendarama chaiyo yakanakisisa, atari iyoyo napamusoro payo nenhivi dzayo dzose nezvinenge nyanga zviri pamusoro pemakona ayo zviya. Pamusoro peatari ngapapenderwe nomukombero wendarama. Unozoigadzirira maringi mana endarama uanamatidze panyasi pomukombero wayo uya, uchiti uku maviri uku maviri. Maringi iwayo ndeokupfekera mapango okuitakurisa, woveza mapango omuunga unamirire nendarama. Unozogadzika atari iyoyo pakatarisana nejira rechidzikatiro rokudzikatidza bhokisi rechitenderano rine hwidibiro paya pandichasangana newe. Mazuva ose, Aroni paanofumira kundogadziridza marambi, ngaapise rusenzi runonhuhwira paatari iyoyo. Manheru, paanouya kuzogadziridza marambi, ngaapise rusenzi zvakare, ruve rusenzi runogaropiswa paneni Tenzi pazvizvarwa zvenyu zvose. Paatari iyoyo pasapirwe rusenzi rusirirwo, kana kupira mupiro wokupisa, kunyange upfu hwomupiro wembesanwa, kana kudururirapo mupiro wokuteura. Kamwechete pagore, Aroni ngaapire mupiro wokupfupira zvitadzo. Ngaatore ropa rechibayiro chokupfupira zvitadzo arizore pazvinhu zviye zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari. Ngazvigaroitwa gore negore pazvizvarwa zvenyu zvose. Atari iyoyo ngaive inoeresesa iatari kuneni Tenzi.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Kana mava kuverenga vaIsiraeri, munhu wose ngaabvise mari yokununura upenyu hwake pana Tenzi pamunovaverenga kuti varege kuzowirwa nedenda pamunovaverenga. Munhu wose anenge averengwa ngaabvise hafu yeshekeri, iri pamwero weshekeri romuNzvimbo Inoera. (Shekeri rinorema magiramu matanhatu.) Mari iyoyo ichava mupiro unopirwa kuna Tenzi nomunhu wose. Munhu wose wose anenge averengwa ana makore makumi maviri kana anoraudza ipapo ngaabvise mupiro iwoyo weni Tenzi. Pamunobvisa chikamu chepakati nepakati chemari yesirivha yeshekeri iyoyo, mupfumi ngaarege kubvisa mari inopfuura ipapo, murombo aregewo kubvisa shoma pane iyoyo. Unofanira kupiwa navaIsiraeri mari yokununura iyoyo uiendese kundoshandiswa mutendhe rokusanganira kuti ive yokundiyeuchidza vaIsiraeri ini Tenzi kuitira kuti igokununurai upenyu.” Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Unozofanira kugadzira dhishi rokushambira rendarira rine chigadzikirowo charo chendarira, worigadzika pakati petendhe rokusanganira neatari, woriisa mvura yokuti Aroni navanakomana vake vazoshamba maoko netsoka dzavo. Kana vava kupinda mutendhe rokusanganira kana kuenda kuatari kundopireni Tenzi mupiro unopiswa nomoto, ngavashambe nemvura iyoyo, vakarega kudaro vanofa. Vanofanira kushamba maoko netsoka dzavo kuti varege kufa. Iwoyu uchava mutemo wokugara nokugara kwavari nokuna Aroni nokuzvizukuru zvake pazvizvarwa zvavo zvose.” Tenzi akatiwo kuna Mosesi, “Unofanira kutora tunonhuhwirira tunoti: mura yemvuramvura inorema makirogiramu matanhatu, nesinamoni inonhuhwira zvakanaka inorema makirogiramu matatu, nouswa hunonzi karamosi hunonhuhwira hunorema makirogiramu matatu, namakwati omuunga anorema makirogiramu matanhatu. Unoera zvose izvozvi nomwero wakatemwa weshekeri romuNzvimbo Inoera. Unotorawo marita mana amafuta eorivhi, wosanganisa zvose izvozvo wogadzira mafuta anoera okuzodza sokugadzirwa kunoitwa twokuzora tunonhuhwira. Iwaya achava mafuta anoera okuzodza nawo. Namafuta iwayo unofanira kuzodza tendhe rokusanganira nebhokisi rechitenderano, neteburu pamwechete nemidziyo yayo, nechigadzikiro chomwenje pamwechete nemidziyo yacho, neatari yokupisira rusenzi, uzodzewo atari yomupiro wokupisa pamwechete nemidziyo yayo, nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo. Kana mukateketerera kuna Mwari zvinhu izvozvo nomutoo iwoyu zvichava zvinoera kwazvo. Chii zvacho chichagunzvana nazvo chichava chinoera. Uyewo unofanira kuzodza Aroni navanakomana vake uchivateketera kwandiri kuti vandishandire savapristi. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ‘Pazvizvarwa zvenyu zvose, aya ndiwo mafuta angu anoera okuzodza.’ Ngaarege kungodirwa pamunhu wose wose. Musaite mamwe mafuta enyu akafana nawo. Mafuta aya, mafuta anoera, anoerawo kwamuri. Kuwana anogadzira mafuta akaita saiwaya kana kudira mafuta anoera aya pamunhu asiri mupristi, munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Tora mwero wakaenzana-enzana wetunonhuhwira tunoti: sitakite neonika negaribhanumu, tunofanira kuva tunonhuhwirira tune furanginisenzi chaiyo yakanakisisa. Sanganisa tunonhuhwira itwotwo ugadzire rusenzi sokugadzirwa kunoitwa mafuta okuzora anonhuhwira, rusenzi irworwo ngaruve rwakarungwa nomunyu, ruve rwakanakisisa ruve runoera. Parusenzi irworwo bvisa rumwe urudzvure kusvikira rwaota, uende narwo kutendhe rokusanganira undoruisa pamberi pebhokisi rechitenderano paya pandichasangana newe. Rusenzi irworwo ngaruve chinhu chinoera kwazvo kwamuri. Musambozvigadzirira rumwe rusenzi rwakadai. Kwamuri imi, rusenzi uru runoera, runoereserwa Tenzi. Kuwana anozvigadzirira rumwe rusenzi rwakaita sairworwu kuti arushandisewo zvake ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Chionaka ndasarudza ndikadomawo nezita Bhezarieri mwanakomana waUri, muzukuru waHuri, wedzinza rokwaJudha, ndikamuzadza nomweya waMwari. Ndamupa kunzwisisa uye njere kuti agone kuita mabasa ose oumhizha anoti, kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzopfurwa zvendarama nezvesirivha nezvendarira nokuveza tumabwe tunokosha twokuisa pazvinhu nokuvezawo miti nokuita mamwewo mabasa oumhizha. Ndasarudzawo Ohoriabhu mwanakomana waAhisamaki, wedzinza rokwaDhani kuti abatsirane naBhezareri. Ndapa dzimwe mhizha ungwaru hwokuti dzigone kugadzira zvose zvandakarayira kuti zviitwe zvinoti, tendhe rokusanganira, nebhokisi rechitenderano, nehwidibiro yaro yokurikwidibirisa kwouya zvose zvomutendhe rokusanganira zvinoti, teburu nemidziyo yayo, nechigadzikiro chomwenje chakagadzirwa nendarama chaiyo yakanakisisa pamwechete nemidziyo yacho yose neatari yokupisira rusenzi, kwoti atari yokupisira zvibayiro pamwechete nemidziyo yayo yose, nedhishi rokushambira pamwechete nechigadzikiro charo, kwouyawo hanzu dzinoera dzakanyatsorukwa dzomupristi Aroni nehanzu dzavanakomana vake dzavanopfeka pavanoita basa roupristi, kwozoti mafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira rwomunzvimbo inoera, ngazviitwe sokukurayira kwandakuita.” Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Iwe taurira vaIsiraeri uchiti, ‘Chengetai maSabata angu nokuti ndiwo mucherechedzo wangu nemi uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose, wokuratidza kuti ini Tenzi ndini ndakakusarudzai kuti muve vanhu vangu vatsvene.’ Munofanira kuchengeta Sabata nokuti izuva rinoera kwamuri. Anorin'oresa ngaaurayiwe, kuwana anoshanda pazuva iroro, ngaachekaniswe ukama navanhu wokwakwe. Basa ngariitwe zvaro mumazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokunyatsozorora, izuva rinoera rinoereserwa Tenzi. Kuwana anoita basa pazuva irori, anofanira kutourayiwa. Saka vaIsiraeri ngavachengete Sabata pazvizvarwa zvavo zvose ngavachengete sechitenderano chokugara nokugara. Iwoyo mucherechedzo wechitenderano changu navaIsiraeri narini wose wokuti ini Tenzi ndakasika denga napasi pamazuva matanhatu, pazuva rechinomwe ndikarega kuita basa ndikafurwa zvangu nemhepo.” Mwari akapedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akabva amupa mafendefa maviri echitenderano, matombo maviri akanyorwa noruoko rwaMwari. VaIsiraeri pavakaona kuti Mosesi agarisa muGomo reSinai anonoka kudzoka, vakaunganira Aroni vachiti, “Dai mukachitigadzirirawo vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesi uyu, nyakutiburitsa muIjipiti, hatichamboziva kuti chii chakamuwira.” Aroni ndokuvati, “Endai mubvise mhete dzendarama dziri panzeve dzamadzimai enyu nedzavana venyu vakomana navasikana, muuye nadzo kwandiri.” Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo dzendarama dzaiva panzeve dzavo vakauya nadzo kuna Aroni. Aroni akadzitambira akadzinyungurutsa, ndokugadzira nadzo chimhuru chendarama. Ivo ndokuti, “Onai vaIsiraeri! Havanoi vamwari venyu vakakuburitsai muIjipiti.” Aroni achiona izvi akavaka atari pamberi pechimhuru chiye, akadaidzira shoko rokuti, “Mangwana tichaitira Tenzi mabiko.” Mangwana acho vakafumouya nezvipfuwo, vakapira mipiro yokupisa, nemipiro yokuwadzana. Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, ndokusimuka votamba. Tenzi akati kuna Mosesi, “Chiburuka mugomo muno nokuti vanhu vako vawakaburitsa kunyika yeIjipiti vaipa, vaenda mutome; nokuti vachimbidzosiya gwara randakati vatevere. Vakatora ndarama vakagadzira chimhuru chavari kunamata. Vatopira handira yacho mipiro vachiti, ‘VaIsiraeri havanoi vamwari vedu vakatiburitsa munyika yeIjipiti.’ ” Tenzi akati kuna Mosesi, “Ndaona zvino kuti vaIsiraeri ava itsvuuramuromo dzavanhu. Chirega zvako uone ndichivavirukira nehasha ndivaparadze, asi ndozoita kuti iwe uve rudzi rukuru.” Asi Mosesi akateterera kuna Tenzi, Mwari wake achiti, “Nhai Tenzi mungagodarireiko kuvirukira vanhu venyu nehasha? Vanhu vamakaburitsa muIjipiti nesimba renyu guru! Munodirei kuti vaIjipiti vazoti, ‘Tenzi akabvisa vaIsiraeri muIjipiti kuti andovaurayira mumakomo achivatsakatisa panyika zvachose?’ Ndapota zvangu, regai zvenyu kushatirwa. Dai mukarega kuita zvamareva. Musaitire vanhu venyu zvakaipa zvikadaro. Rangarirai varanda venyu Abhurahamu naIsaki naJakobho, vamakapikira mhiko nezita renyu pachenyu muchivati, ‘Ndichakupai vana vakawanda senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika yose yandakareva kuti ive nhaka yavo narini narini.’ ” Naizvozvo Tenzi akabva azorega kuita zviya zvaakanga ambofunga kuita kuvanhu vake. Mosesi akazoburuka mugomo akabata mumaoko mafendefa maviri okupupurira, akanyorwa mativi ose ari maviri. Mwari ndiye akanga agadzira mafendefa iwayo, ndiye pachake akanyora mitemo paari. Mazwi acho akanga akaita zvokutemerwa pabwe. Joshuwa akanzwa vanhu vachiita mheremhere akataura naMosesi achiti, “Ndiri kunzwa mheremhere kumatendhe, inenge yavanhu vari kurwa hondo.” Mosesi ndokuti, “Haasi mazwi avanhu vakunda. Haasi mazwi avanhu vakundwa, mazwi okuimba ndoandiri kunzwa.” Paakazosvika pedyo namatendhe Mosesi akaona chimhuru chiya navanhu vakanga vachitamba, ndokubva aviruka nehasha. Pakarepo akakanda pasi mafendefa aakanga akatakura ndokubva apwanyika mujinga megomo imomo. Mosesi akatora chimhuru chavakanga vagadzira, akachipisa nomoto akachikuya-kuya akaisa zviupfu zvacho mumvura, ndokuita kuti vaIsiraeri vanwe mvura yacho. Mosesi akabvunza Aroni achiti, “Vanhu ava vakaitei chaizvo kwauri chakakuita kuti uvapinze muchitadzo chakaipa chikadai?” Aroni ndokuti, “Musandivirukire zvenyu nehasha changamire. Imi munoziva kuti vanhu ava vanhu vane mwoyo wakaipa. Ndivo vakatonditi, ‘Tigadzirire vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesiwo uyu nyakutiburitsa muIjipiti hatichamboziva chakamuwira.’ Ini ndokuvati, ‘Ani naani ane zvishongo zvendarama ngaandipe.’ Naizvozvo vakandipa, ini ndikazvikanda mumoto, ndopazobva chimhuru ichochi.” Mosesi paakaona kuti vanhu varasika, vaenda mutome nokuti Aroni akanga avarega vachipanduka zvinovashoresa navavengi vavo, Mosesi akabva amira pasuo guru rapamatendhe akadaidzira achiti, “Vose vanosimbira kudivi raTenzi uyai kuno kwandiri.” VaRevhi vose vakaungana kwaiva naMosesi. Mosesi ndokuti kwavari, “Tenzi, Mwari weIsiraeri anoti, ‘Mose torai mapakatwa enyu, mubvongodze mumatendhe ose, muchiuraya hama dzenyu neshamwari dzenyu navamanga makagarisana navo, mubvire pasuo guru rino iri kusvikira kusuo guru rouko.’ ” VaRevhi vakaita zvakanga zvarehwa naMosesi, musi iwoyo kwakafa vanenge zviuru zvitatu. Mosesi akati, “Nhasi imi vaRevhi manyatsozvipira kuita basa raTenzi nokuti mateerera shoko rake pamauraya vanakomana venyu nehama dzenyu kuti akukomborerei nhasi uno.” Mangwana acho Mosesi akataurira vaIsiraeri kuti, “Imi makatadzira Mwari, nechitadzo chikuru kwazvo, zvino ini ndichadzokera kuna Tenzi, pamwe, ndingagone kumuteta pachitadzo chenyu.” Saizvozvo Mosesi akadzokera kuna Tenzi akasvikoti, “VaIsiraeri vakapara chitadzo chikuru kwazvo. Vakazvigadzirira vamwari vendarama vakavanamata. Ndapota varegerereiwo chitadzo chavakaita. Asi kana musingade kuvaregerera, chidzimai zvenyu zita rangu mubhuku renyu mamakarinyora.” Asi Tenzi akati kuna Mosesi, “Anenge anditadzira ndiye wandinodzima mubhuku rangu. Zvino chienda undotungamirira vanhu vaende kunyika iya kwandakakuudza. Mutumwa wangu achakutungamirira. Asi zuva randichavabvakachira ndichavarangira chitadzo chavo ichochi.” Tenzi akazorova vaIsiraeri neshamhu yedenda nokuti vakanga vaumba chimhuru chavakagadzirirwa naAroni. Tenzi akati kuna Mosesi, “Iwe navaIsiraeri vawakaburitsa munyika yeIjipiti, chisimukai muende kunyika yandakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho kuti ndichazopa vana vavo. Ini ndichatoita zvokutotuma mutumwa wangu akutungamirirei, ndigodzinga vaKanani navaAmori navaHiti navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. Chiendai zvenyu kunyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi nokuti ini handichaenda ndiri pakati penyu. Ndingadaro ndikazokuparadzai nokuti imi muri tsvuuramuromo dzavanhu.” Vanhu vakati vachinzwa mashoko akaipa kudai, vakachema. Vose vakarega kupfeka zvishongo zvavo zvendarama. Tenzi akati kuna Mosesi, “Iti kuvaIsiraeri, ‘Imi muri tsvuuramuromo dzavanhu, kana ndikaenda ndiri pakati penyu, kunyange kwakanguva kaduku ndingakutsakatisei.’ Zvino chibvisai zvishongo zvenyu zvendarama, ndigozoona zvangu zvandichaita nemi.” Kubvira panguva yakabva vaIsiraeri pagomo reSinai havana kuzopfekazve zvishongo zvendarama. Mosesi aiti kana vasvika pavaidzika matendhe, aitora rimwe tendhe achindoridzika chinhambwe riri paro roga. Tendhe iroro akaritumidza zita rokuti tendhe rokusanganira. Ani naani ainge aine zvaanoda kuna Tenzi aienda kutendhe rokusanganira iroro rainge riri kunze kwamatendhe. Paienda Mosesi kutendhe iroro vanhu vose vaimira pamisuo yamatendhe avo vachiramba vakatarisa Mosesi, kudzamara apinda mutendhe rokusanganira. Mosesi aiti kana apindamo, shongwe yegore yaiuya yomira pamusuo wetendhe iroro, Tenzi otaura naMosesi. Vanhu vose vaiti nyandu kusumuka kana vaona shongwe yegore iyoyo yamira pamusuo wetendhe iroro, vobva vazoti pasi gwadagwa munhu woga woga ari pamusuo wetendhe rake vonamata. Saizvozvo Tenzi aitaurirana naMosesi vakatarisana uso nouso somunhu anokurukurirana neshamwari yake. Painge Mosesi odzokera zvake kumatendhe, Joshuwa, mwanakomana waNunu, jaya raibatsira Mosesi, akanga asingasiyane netendhe iroro. Mosesi akataura kuna Tenzi achiti, “Hongu makandituma kutungamirira vanhu ava, asi hamuna kuzondiudza kuti achandibatsira kuenda navo ndiani, kunyange zvazvo makati munonyatsondiziva nezita uyewo muchifadzwawo neni. Naizvozvo ndapota zvangu kana zvichikufadzai ndiratidzeiwo nzira dzenyu kuti ndikuzivei kuitira kuti ndikufadzei, murangarirewo kuti rudzi urwu rwavanhu, vanhu venyu.” Mwari akapindura achiti, “Ndichaenda ndichiratidza kuti ndinemi, ndigokupai rugare.” Mosesi akati kwaari, “Kana imi musingaende nesu musatirege tichibva pano nokuti zvingagozozikanwa seiko kuti imi munofadzwa neni uye navanhu venyu? Handiti iko kuenda nesu ndiko kunonyatsoratidza kuti ini navanhu venyu tiri vanhu vakasiyana namamwe marudzi ose apasi pano here?” Tenzi akapindurawo Mosesi achiti, “Zvawataura ndichaita izvozvo chaizvo ndozvandichaita nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.” Mosesi akati, “Ndapota, ndiratidzeiwo mbiri yenyu inopenya.” Mwari ndokuti, “Ndichapfuura napauri uone kunaka kwangu kwose ndigodoma zita rangu rokuti ‘Yahweh’. Ndinoitira mwoyochena kune wandinenge ndada zvangu kuitira mwoyochena, ndichiitirawo tsitsi kune wandinenge ndada zvangu kuitira tsitsi.” Asi akati, “Haugone kuona chiso changu nokuti hakuna munhu angandione akaramba ari mupenyu.” Tenzi akati, “Chinzwa, pane imwe nzvimbo iri kuno kwandiri ndopauchamira padombo. Saka kupenya hwokuvapo kwangu pakuchapfuura nepo, mubako redombo iroro ndichakufukidza noruoko rwangu kudzamara ndapfuura. Ndichabvisa ruoko rwangu, undione nechokumusana kwangu chete. Asi chiso changu hachionekwi.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Veza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye, ndinyore paari mazwi akanga ari pamafendefa okutanga aye awakaputsa. Gadzirira mangwanani, ukwire mangwanani iwayo mugomo reSinai, uuye pandiri pamusoro pegomo ipapo. Usakwiremo nomumwe. Hapana munhu anofanira kuonekwa ari mugomo imomo mose. Musarege mombe kana zvimwe zvipfuwo zvichifura mujinga megomo iroro.” Zvino Mosesi akaveza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye. Akafumomuka akakwira mugomo reSinai sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi, akatakurawo mafendefa maviri aye mumaoko. Tenzi akaburuka ari mugore ndokusvikomira naye. Pakarepo Tenzi akadoma zita rake rokuti, “Yahweh.” Tenzi akazopfuura napaiva naMosesi akadetemba zita rake achiti: “Yahweh, Yahweh Mwari ane tsitsi, ane mwoyo wakanaka, ane mwoyo murefu, azere nomwoyochena wakawanda wakavimbika, azere kutendeseka. Anoitira zviuru nezviuru zvavanhu mwoyochena anoregerera zvitadzo, achiregererawo kukanganisa nouipi, asi haamborega zvake munhu anokodzera kurangwa asina kurangwa. Anoranga vana navana vavo, achivarangira zvakaipa zvamadzibaba avo, achitevedza zvizvarwa zvavo, kunyange kusvikira kune chechitatu nechechina.” Ipapo Mosesi akakurumidza kugwadama pasi akanamata. Akati, “Tenzi kana muchifadzwa neni, ndinokumbira kuti imi Tenzi tiende muri pakati pedu kunyange zvazvo vari tsvuuramuromo dzavanhu, tiregerereiwo zvitadzo zvedu, nouipi hwedu mutigamuchire senhaka yenyu.” Mwari akati, “Chinzwa ndava kuita chitenderano nemi. Ndichaita zvishamiso vanhu vako vachiona, zvishamiso zvisina kumboitwa pasi pose kunyange pakati pendudzi dzipi nedzipi zvadzo. Vanhu vose vamuchange mugere pakati pavo vachaona basa rangu ini Tenzi nokuti zvandichaita newe zvinhu zvinotyisa. Chengeta zvandinokuudza nhasi. Chinzwa, ndichaita kuti vaAmori navaKanani navaHiti navaPerizi navaHivhi navaJebhusi vakutizei. Chenjerai kuti murege kuita chitendarano navanhu vagere kunyika iyoyo kwamuri kuenda kungadaro kukava kuzviteyera musungo pakati penyu. Munofanira kuputsa atari dzavo, muparadzewo shongwe dzavo, mutemere pasi micherechedzo yamwari wavo, Ashera. “Ndinodaro nokuti hamufanire kunamata mumwe mwari, nokuti Tenzi zita rake ndiNyashanje; ndiMwari aneshanje. Mungadaro mukaita chitenderano navanhu vagere munyika iyoyo, pavanenge voita unzenza hwokupira zvibayiro zvavo kuna vamwari vavo mumwe angadaro akakukokai mukazodya chibayiro chake, uye moroorera vana venyu vakadzi kuvanasikana vavo. Varoora venyu ivavo vanozoita unzenza hwokunamata vamwari vavo vachizokwezverawo vana venyu kunamata vamwari vavo. “Usatore utare uchizviumbira vamwari. “Unofanira kuchengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso. Mumwedzi waAbhibhi unofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe sokukuudza kwandakaita nokuti imi makabuda muIjipiti mumwedzi waAbhibhi. “Dangwe rose rechikomana nderangu. Zvipfuwo zvose zvikono zvinotanga kuberekwa zvingave zvemombe kana zvezvimwe zvipfuwo ndezvangu. Dangwe redhongi unofanira kurinunura nehwayana. Kana usina kurinunura unofanira kurityora mutsipa waro. Matangwe enyu ose echirume avanhu ngaanunurwe. “Ngaparege kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata zvake maoko. “Kwamazuva matanhatu, shanda zvako, asi pazuva rechinomwe unofanira kuzorora, pangave pakurima kana pakukohwa. “Chengeta mazuva makuru anonzi mazuva aMavhiki, mazuva ekoroni yokutanga. Chengetawo mazuva okupemberera kukohwa pakupera kwegore. Vanhurume vose vanofanira kuuya katatu pagore kuna Tenzi Mwari, Mwari weIsiraeri. Ndinodaro nokuti ndichaita kuti ndudzi dzavanhu dzikutizei ndigokudza-kudza nyika yenyu zvokuti pamunouya katatu kwandiri hapana anozoita ruchiva rwokuda kukutorerai. “Rega kupira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chine mbiriso. Nyama inosara pazuva guru rePasika ngairege kufuma mangwana acho ichiripo. “Pambesa dzenyu dzokutanga kukohwa munofanira kutora dzokutangisisa dzacho muuye nadzo kuimba yaTenzi, Mwari wenyu. Musabike mbudzana nomukaka waamai vayo.” Tenzi akaudza Mosesi kuti, “Nyora mashoko aya andareva nokuti ndiwo hwaro hwechitenderano chandakaita newe neIsiraeri.” Mosesi akagara mugomo reSinai siku nesikati kwamazuva makumi mana aina Tenzi, asina chaainwa kana kudya. Mwari akanyora pamafendefa mitemo gumi yechitenderano. Mosesi akazoburuka mugomo reSinai, paaiburuka mugomo akanga akatakura mumaoko mafendefa maviri eMitemo gumi. Asi haana kuziva kuti chiso chake chakanga chava kupenya pamusana pokutaura kwaakanga aita naMwari. Aroni navaIsiraeri vose vakatarisa Mosesi, onei ganda rouso hwake riri kupenya, vakabva vatya kusvika pedyo naye. Asi Mosesi akavadaidza. Aroni navakuru vakuru vose vegungano vakadzokera kwaari, Mosesi ndokutaura navo. VaIsiraeri vose vakazouyawo pedyo, Mosesi ndokuvapa mitemo yose yaakanga apiwa naTenzi mugomo reSinai. Mosesi akati apedza kutaura navo akatora mucheka akafukidza chiso chake. Mosesi aiti kana opinda kundotaura naTenzi, aibvisa mucheka uyu kusvikira abudamo. Paaibuda aiudza vaIsiraeri zvose zvaainge audzwa naTenzi. VaIsiraeri vaiona kuti chiso chaMosesi chiri kupenya, naizvozvo Mosesi aitora mucheka ofukidza chiso chake pakare kusvikira, nguva yaaindotaura naMwari zvakare. Mosesi akakokera musangano wegungano rose ravaIsiraeri akati, “Hezvinoi zvinhu zvanzi naTenzi muite: Kwamazuva matanhatu ita zvako basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata rinoera rokunyatsozorora rinoereserwa Tenzi. Kuwana anoshanda pazuva iroro ngaaurayiwe. Musabatidze moto mumisha yenyu pazuva reSabata.” Mosesi akataurirawo gungano rose ravaIsiraeri kuti, “Hechinoi chirevo chakatemwa naTenzi chinoti: Ipai kuna Tenzi mipiro yezvinhu zvinobva kwamuri. Ani naani ane mwoyochena wokupa ngaauye zvake nechipo kuna Tenzi. Zvinhu zvaanogona kupa ndezvizvi; ndarama nesirivha nendarira, kwouya machira erineni akanakisisa, newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku namachira akagadzirwa nemvere dzembudzi, kwouyawo matehwe ehondohwe akasukwa akatsvukiswa, namatehwe etahashi, namatanda omuunga, kwoti mafuta omumarambi, netwokubikisa tunonhuhwira namafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira, kwozoti tumabwe tweonikisi, notumwe tumabwe twokuisa pahanzu yeefodhi, netwapanyembe yepadundundu. “Nyanzvi dzose dzine ruzivo rwokuita mabasa ngadziuye kuzogadzira zvose zvakanzi naTenzi zviitwe zvinoti; tendhe rinoera pacharo, namachira anovakiswa tendhe racho needenga raro, nezvikochekero zvaro, namapango aro akavezwa nembariro dzaro, namapango aro nezvigadzikiro zvawo, kwouya bhokisi rechitenderano namapango okuritakurisa, nehwidibiro yaro nejira rechidzikatiro, kwoti teburu namapango ayo okuitakurisa, nemidziyo yayo yose nechingwa chokuisa pana Mwari, kwozoti chigadzikirowo chomwenje wokuvhenekesa nemidziyo yacho, namarambi acho, namafuta awo, uye atari yokupisira rusenzi, namapango ayo okuitakurisa, namafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira, nejira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera, uyezve atari yokupisira zvibayiro, namapango ayo okuitakurisa nemidziyo yayo, nesefa yayo yendarira, namapango ayo okuitakurisa nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo, uyewo machira okukomberedza nhandare yayo, namapango awo, nezvigadzikiro zvamapango acho, nejira rokudzikatirisa pasuo guru renhandare, poti hoko dzetendhe rinoera, nehoko dzamachira okukomberedza nhandare, netambo dzacho, pozoti hanzu dzakanyatsorukwa dzokushanda nadzo munzvimbo inoera, hanzu dzinoera dzomupristi Aroni, nehanzu dzavanakomana vake dzokushanda nadzo savapristi.” Gungano rose ravaIsiraeri rakazokotonoka richibva paiva naMosesi. Mumwe nomumwe akanga abatwa mwoyo neakanga achinzwa mumwoyo make shungu dzokupa, akaunza chipo kuna Tenzi kuti chishandiswe pabasa romutendhe rokusanganira napabasa rose remo nokushandisa pahanzu dzinoera. Naizvozvo vanhurume navanhukadzi vaiva nomwoyo wokupa vakaunza mabhurukwa embirichisi namakoza, nemhete namaringi omumaoko, nezvimwe zvakasiyana-siyana zvendarama, mumwe nomumwe achipira chipo chake kuna Tenzi. Ainge aine wuru yoruvara rwedenga kana kuti yeruvara rwehute kana kuti tsvuku, neainge aine jira rerineni rakanakisisa kwazvo nejira remvere dzembudzi, kana matehwe ehondohwe akatsvukiswa, namatehwe etahashi, akauya nazvo. Munhu wose aikwanisa kuunza chipo chesirivha kana chendarira akachiunza sechipo kuna Tenzi. Munhu wose ainge ane mapango omuunga aigona kuitiswa basa raimomo akauya nawo. Vanhukadzi vose vainge vari nyanzvi dzokuruka vakagadzira machira erineni akanyatsogadzirwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku vakauya nazvo. Vanhukadzi vose vaingewo vaine chido mumwoyo mavo, uyewo vari nyanzvi dzokuruka vakagadzira machira emvere dzembudzi. Vakuru vakuru vakaunzawo tumabwe tweonikisi notumwe tumambwe twokuisa pahanzu yeefodhi napanyembe yapadundundu, vakaunzawo twokubikisa tunonhuhwira namafuta amarambi namafuta okuzodza norusenzi runonhuhwira. VaIsiraeri vose, varume navakadzi, vakanga vachinzwa mumwoyo mavo shungu dzokupa zvinhu zvokushandisa mubasa rose rakanga raudzwa Mosesi naTenzi kuti riitwe, vakauya nezvipo zvavo kuna Tenzi. Mosesi akaudza vaIsiraeri kuti, “Chinzwaika, Tenzi akadoma nezita Bhezarieri, mwanakomana waUri, muzukuru waHuru wedzinza rokwaJudha, akamusarudza. Akamuzadza noMweya waMwari, akamupawo kunzwisisa uye nenjere noruzivo kuti agove noumhizha hwose hwokugona kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzopfurwa zvendarama nezvesirivha nezvendarira uye kuveza tumabwe tunokosha twokuisa pazvinhu, nokuvezawo miti nokuitawo mamwe mabasa oumhizha. Akamupa, iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki wedzinza rokwaDhani, mwoyo wokuda kudzidzisa vamwe. Akavapa unyanzvi hwezvokupfura noumhizha mumabasa, nokugona kushongedza vachirukira wuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku uye machira erineni akanakisisa. Akavapawo unyanzvi hwokuruka nohwokuita mabasa ose zvawo, neokufanotara mamiriro ezvingade kuitwa. “Bhezarieri naOhoriabhu vanofanira kushanda navose vakapiwa naTenzi ruzivo noungwaru hwokuita mabasa ose okuvaka Nzvimbo Inoera, sezvakanzi naTenzi zviitwe.” Mosesi akadaidza Bhezarieri naOhoriabhu nenyanzvi dzose dzakanga dzapiwa njere naTenzi dzaivawo nechido chokubatsira pabasa, kuti vazoita basa. Vakagamuchira zvipo zvose izvozvo kuna Mosesi zvakanga zvaunzwa navaIsiraeri kuzoitisa basa romuNzvimbo Inoera. Izvozvo vaIsiraeri vainge vachingofumouya nazvo. Nokudaro nyanzvi dzamabasa akasiyana-siyana dzakauya kubasa romuNzvimbo Inoera dzichibva kumabasa adzo akare. Nyanzvi idzodzi dzakazotaurira Mosesi kuti, “Vanhu vari kungoramba vachiunza zvipo zvebasa rakanzi naTenzi riitwe, asi zvipo zvacho zvawandisa.” Mosesi akatuma chirevo mumatendhe chokuti, “Ngapachirega kunge pachave nomurume kana mukadzi anouya nechipo chokushandisa muNzvimbo Inoera.” Naizvozvo vanhu vakarega kuunza zvipo izvozvo, nokuti zvipo zvakanga zvaunzwa kare zvakanga zvatokwana kuitisa basa iroro, zvichitopfuuridza. Varume vose vaiva noruzivo rwokuita mabasa pakati penyanzvi dzakanga dzauya, vakagadzira tendhe rinoera vachiritenderedza namachira makuru okudzikatirisa gumi namaviri, erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku, akarukirirwa zvakanakisisa makerubhu. Machira acho ose akanga akaenzana, urefu hwawo hwaiita mamita gumi namaviri, hwasha hwawo huchiita mamita maviri. Pamachira iwayo, akasonanidza mashanu pawo oga, akasonanidzawo mamwe acho mashanu ari pawo oga. Akaita zvishwe zvomucheka weruvara rwedenga pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye okutanga, akaitawo saizvozvo pamupendero wokunzekunze pamachira aye echipiri. Akaita zvishwe makumi mashanu pamachira aye okutanga, akaitawo zvimwe zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira echipiri. Zvishwe izvozvo zvaiva pamachira iwayo zvakanga zvakatarisana. Akagadzira zvikochekero zvendarama makumi mashanu, ndokubatanidza machira makuru okudzikatirisa maviri aye nezvikochekero izvozvo rikava tendhe rimwechete. Akagadzirawo machira okudzikatirisa gumi nerimwechete emvere dzembudzi okuisa padenga retendhe rinoera. Akagadzira machira acho ose akaenzana, kureba kwawo kwaiva mamita gumi nematatu, hwasha hwawo hwaiva mamita maviri. Akabatanidza pamwechete machira mashanu pawo oga, ndokubatanidzawo pamwechete mamwe machira matanhatu pawo oga. Akaita zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye okutanga, akaitawo zvimwe zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye echipiri. Akagadzira zvikochekero makumi mashanu zvomundarira zvokubatanidza nazvo machira maviri iwayo pamwechete kuita zijira rimwechete. Akagadzira dahunha repadenga retendhe rinoera namatehwe ehondohwe akasukwa akatsvukiswa, neetahashi. Akaveza mapango omuunga okumisa chengo chetendhe rinoera. Urefu hwebango rimwe nerimwe hwaiva mamita mana, hwasha hwaro huchiita masendimita makumi matanhatu. Bango roga roga raiva nezviga zviviri zvokuribatanidza nerimwe. Akaita izvozvi namapango ose etendhe rinoera. Aya ndiwo mavezero aakaita mapango etendhe rinoera. Akaveza mapango makumi maviri okumisa divi retendhe rinoera rokumaodzanyemba. Akagadzirawo zvigadzikiro zvesirivha makumi mana zvokumisa mapango iwayo. Pabango rimwe nerimwe paiva nezvigadzikiro zviviri, zvakanga zvakagumana musana pasi pezviga zviya zvamapango. Kudivi rimwe retendhe, rokuchamhembe, akagadzira makumi maviri amapango okumisa tendhe, akagadzirawo zvigadzikiro zvawo zvesirivha makumi mana achiisa zvigadzikiro zviviri pasi pebango roga roga. Akaveza mapango matanhatu okumisa chengo chetendhe cheseri chokumadokero. Akaveza mapango maviri maviri okumisa mumakona maviri eshure kwetendhe. Mapango maviri akaamisa asina kubatana nechepasi pawo, asi kumusoro akaabatanidza necheparingi rokutanga, ndozvaakaaita ose ari maviri maviri pamakona iwayo maviri. Saka chengo chetendhe cheshure chaiva namapango akavezwa masere aiva nezvigadzikiro zvawo zvesirivha gumi nezvitanhatu zviri zviviri zviviri pasi pebango roga roga. Akagadzira mbariro dzomuunga shanu dzorumwe rutivi, shanu dzorumwewo rutivi, neshanu dzorumwewo rutivi rweseri kwetendhe rinoera kumadokero. Akagadzira rumbariro rwokuisa pakati napakati pamapango akavezwa ruchiapoteredza kusvika kunze nokunze. Akanamira ndarama mapango iwayo nembariro ndokuisa maringi endarama pamapango okubata mbariro idzodzo ndokunamira mbariro idzodzo ndarama. Akagadzira jira rokudzikatirisa nerineni yakanakisisa yeruvara rwedenga neruvara rwehute nerutsvuku yakarukirirwa makerubhu. Akarigadzirira mapango mana akavezwa omuunga akaanamira nendarama, nezvipikiri zvawo zvendarama akaagadzirira zvigadzikiro zvawo zvina zvesirivha. Akagadzirawo jira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera, rerineni rakanakisisa rakarukirirwa zvakanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Akagadzirawo mapango aro mashanu akaanamira ndarama pane zvapamusoro pawo, zvipikiri zvawo zvaiva zvendarama. Asi zvigadzikiro zvawo zvishanu zvaiva zvendarira. Bhezarieri akatora mapango omuunga akagadzira bhokisi rechitenderano. Rakanga riri zana ramasendimita rina masendimita gumi kureba, hwasha hwaro huchiita makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu, udzami hwaro huchiitawo makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu. Rakanamirirwa nendarama chaiyo yakanakisisa mukati nokunze ndokuriitira mukombero wendarama kumusoro kwaro. Akarigadzirira maringi mana endarama okuisa mumakona mana ebhokisi. Akaisa maringi iwayo pamakona mana ebhokisi akati uku maviri uku maviri. Akaveza mapango omuunga, akaatsvetera nendarama. Akapfekera mapango iwayo okutakurisa bhokisi rechitenderano mumaringi aiva pamativi aro. Akagadzirawo hwidibiro yaro yendarama chaiyo yakanakisisa, urefu hwayo hwaiita zana ramasendimita rina masendimita gumi, hwasha hwaro huchiita makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu. Akatora ndarama akapfura mifananidzo miviri yezvimwe zvisikwa zvinonzi makerubhu, akazvigadzira zviri pamativi maviri ehwidibiro. Akanamira makerubhu iwayo pahwidibiro akati rimwe kerubhu kwokupedzesera uku, rimwe kerubhu kwokupedzeserawo uku. Akaagadzira akabatana nayo zvokuti aiva chinhu chimwechete nehwidibiro. Makerubhu iwayo akanga akatarisa pahwidibiro akatarisana akasimudzira mapapiro awo kumusoro akafukidza hwidibiro. Akagadzirawo teburu yomuti womuunga, urefu hwayo hwaiita makumi masere amasendimita ana masendimita masere, upamhi hwayo huchiita masendimita makumi mana ana masendimita mana, udzami hwayo huchiita masendimita makumi matanhatu ana masendimita matanhatu. Akainamirira ndarama chaiyo yakanakisisa, ndokuipendera nendarama mativi ose. Akaigadzirira mupendero waiipoteredza waiva noupamhi sehwechanza, akaisa kamutsetse kendarama kunze kwawo kakapoteredza mupendero iwoyo. Akaigadzirira maringi endarama mana okupfekera mapango okuitakurisa, akaaisa pamakona mana apamakumbo ayo. Maringi anopfekerwa mapango okutakurisa teburu akaaisa pedyo nomupendero uya. Akaveza mapango omuunga okutakurisa teburu yacho, akaanamira nendarama. Akaigadzirira midziyo yendarama chaiyo yakanakisisa yokushandisa patafura ipapa. Akagadzira ndiro nembiya namajagi omupiro wokuteura. Akagadzirawo chigadzikiro chomwenje, cheminora chendarama chaiyo yakanakisisa, pamwechete negaro racho nehunde yacho akazvigadzira achiita zvokupfura. Maruva acho akazaruka namamwe asati azaruka, akanga akabatanidzwa nacho kuita chinhu chimwechete. Chaiva namapazi matanhatu aibva pachiri, chaiti uku matatu, uku matatu. Bazi rokutanga, kune rumwe rutivi, rakanga rakanamatidzwa maruva matatu ainge maruva omuarimondi akazaruka neasati azaruka. Bazi rechipiri kune rumwewo rutivi rakanga rakanamirirwa maruva akazaruka neasati azaruka. Zvakaitwa zvimwechetezvo pamapazi ose ari matanhatu. Hunde yechigadzikiro pachayo pakanamatidzwa maruva mana ainge maruva omuarimondi akazaruka naasati azaruka. Pose pose paisangana hunde namapazi maviri maviri nechepasi pawo, ose ari matanhatu, pakange pakanamatidzwa ruva rimwechete risati razaruka. Chigadzikiro ichocho namapazi acho namaruva acho zvaiva zvendarama chaiyo yakanakisisa, zvakabatanidzwa zviri chinhu chimwechete. Akagadzira marambi manomwe okuisa pachigadzikiro ichi, nezvigero zvokuchekesa tambo dzamarambi netireyi dzendarama chaiyo yakanakisisa. Akachigadzira pamwechete, nemimwe midziyo yacho yose nendarama chaiyo yakanakisisa yairema makumi matatu amakirogiramu ana makirogiramu mashanu. Akaveza mapango omuunga ndokugadzira atari yokupisira rusenzi. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana. Urefu hwayo hwaiva masendimita makumi mana ana masendimita mashanu, upamhi hwayo huchiita masendimita makumi mana ana masendimita mashanu. Kukwira kwayo mudenga kwaiita masendimita makumi mapfumbamwe. Zvinenge nyanga zviri pamusoro pamakona ayo zvakavezwa zvakabatanidzwa nayo. Atari iyoyo yakanamirirwa nendarama chaiyo yakanakisisa nenhivi dzayo dzose nezvinenge nyanga zviya zvapamusoro pamakona ayo. Pamusoro peatari pakapenderwa nomukombero wendarama. Akagadzira maringi mana endarama akaanamatidza panyasi pomukombero wayo uya, achiti uku maviri uku maviri, ndimo mukupfekera mapango aye okuitakurisa nawo. Akaveza mapango omuunga, akaanamirira ndarama. Akagadzira mafuta anoera okuzodza nawo. Akagadzirawo rusenzi runonhuhwirira zvakanaka sezvinoita vagadziri vamafuta anonhuhwira. Akaveza mapango omuunga akagadzira atari. Kureba kwayo kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo hwaiva mamita mazana maviri ana masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kwakanga kuchiita mita imwechete, ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari akanga akaenzana. Akaveza zvainge nyanga zvina zvapamusoro pamakona mana eatari, zvakanga zvakavezwa zvakabatana neatari yacho. Akanamirira atari iyoyo noutare hwendarira. Akagadzirawo midziyo yose yokushandisa paatari inoti: migomo yokubvisira dota namafoshoro nembenge namaforogo okubayisa nyama namagwati okutapisa moto nemimwe midziyo yayo yose. Midziyo iyoyi yose yakagadzirwa nendarira. Akagadzirira atari sefa yendarira yakaita somumbure. Akaisa sefa yacho pazasi pomupendero wapamusoro peatari, ichirembera kusvika pakati. Akagadzirawo maringi mana endarira akaaisa pamakona mana esefa iyoyo yendarira mokupfekera mapango okutakurisa atari. Akaveza mapango omuunga akaanamirira nendarira. Akapfekera mapango iwayo mumaringi apamativi maviri eatari okuwana matakuriro. Akaigadzira namapuranga iine zimhango risina chinhu. Akagadzira dhishi rendarira rokushambira rine chigadzikiro charo chendarira yaibva kuzviringiriro zvavakadzi vaishanda kusuo guru retendhe rinoera. Akagadzira nhandare: machira okuikomberedza nawo okuchamhembe erineni akanakisisa aiva noupamhi hunoita mamita makumi mana ana mamita mana. Iwayo aiita mamita makumi mana ana mana. Akaita mapango awo makumi maviri nezvigadzikiro zvawo zvendarira makumiwo maviri. Asi zvipikiri nembariro dzokupfekera machira iwayo zvakanga zviri zvesirivha. Kuchamhembe, kwaiva nourefu hwaiita mamita makumi mana ana mamita mana, akaita mapango awo makumi maviri, nezvigadzikiro zvawo zvendarira makumiwo maviri. Asi zvipikiri nembariro dzokupfekera machira iwayo zvakanga zviri zvesirivha. Kumadokero, kwaiva namachira ane upamhi hunoita mamita makumi maviri ana mamita maviri, namapango awo gumi ane zvigadzikiro zvawo gumi; mbariro nezvipikiri zvawo zvaiva zvesirivha. Kumusuo wayo, kumabvazuva kwaiva neane mamita makumi maviri ana mamita maviri. Machira okudzikatirisa edivi rimwechete rokusuo guru aiva mamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu namapango awo matatu nezvigadzikiro zvawo zvitatu, rimwewo divi raikoko raivawo namachira akanga aina mamita matanhatu ana masendimita matanhatu nemapango awo matatu nezvigadzikiro zvawo zvitatu. Machira ose okudzikatirisa aikomberedza nhandare yacho akanga akagadzirwa namachira erineni akanakisisa. Zvigadzikiro zvemapango zvaiva zvendarira. Asi zvipikiri zvemapango nembariro dzawo zvaiva zvesirivha, pamusoro pawo pakaputirwawo nesirivha. Mapango ose omunhandare yaro akanga akabatanidzwa nembariro dzesirivha. Jira rokudzikatirisa pasuo rokupinda muruvanze macho rakanga rakarukwa namachira erineni akanakisisa. Rakanga rakarukirirwa richishongedzwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku urefu hwaro huchiita mamita mapfumbamwe, kureba kwaro mudenga kuchiita mamita maviri sezvakangoita machira okudzikatirisa enhandare iyoyo. Mapango awo akanga ari mana, aine zvigadzikirowo zvawo zvendarira zvina. Zvipikiri zvawo zvaivawo zvesirivha, zvapamusoro dzawo nembariro dzawo zviri zvesirivha. Hoko dzose dzetendhe rinoera nedzenhandare yakanga yakaripoteredza dzaiva dzendarira. Zviri pano apa ndizvo zvose zvakashandiswa mutendhe rinoera, tendhe rechitenderano, sokuverengwa kwazvakaitwa zvichitungamirirwa naItamaru, mwanakomana womupristi Aroni, sokuudzwa kwaakanga aitwa naMosesi. Bhezarieri, mwanakomana waUri, muzukuru waHuri wedzinza rokwaJudha, akagadzira zvose zvakanga zvarehwa naTenzi kuna Mosesi aina Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki wedzinza rokwaDhani. Ohoriabhu aiva nyanzvi yokunyora pasimbi napazvivezwa, aiziva kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzoitwa. Aigona kurukirira machira erineni newuru yoruvara rwedenga neyoruvara rwehute netsvuku. Ndarama yose yakashandiswa pabasa rokuvaka Nzvimbo Inoera yakanga yapirwa kuna Mwari, yairema chiuru chamakirogiramu maererano neshekeri romuNzvimbo Inoera. Sirivha yakaunzwa negungano ravanhu vakanga vaverengwa yairema zviuru zvitatu zvamakirogiramu zvina mazana mana ana makumi matatu amakirogiramu ari pamwero wemari yeshekeri yomuNzvimbo Inoera, bheka pamunhu, zvichireva hafu yeshekeri romuNzvimbo Inoera pamunhu mumwe nomumwe akanga averengwa pakuverenga vanhu ikoku, kubvira kuna vaiva namakumi maviri amakore zvichikwira. Yaiva yavarume mazana matanhatu ezviuru ane zviuru zvitatu namazana mashanu ane makumi mashanu avanhu. Pasirivha iyoyo, makirogiramu akagadziriswa zvigadzikiro zvamapango eNzvimbo Inoera, needzejira rechidzikatiro, zviuru zvitatu namazana mana. Pamakirogiramu makumi matatu esirivha akasara, Bhezarieri akaagadzirisa zvipikiri zvamapango nokunamirira misoro yamapango dzokushandisa pambariro. Ndarira yomupiro wokuvheyeswa yairema makirogiramu zviuru zviviri zvine mazana mana ana makumi maviri amakirogiramu namakirogiramu mashanu. Ndiwo aakatora akagadzira zvigadzikiro zvamapango dzapamusuo wetendhe rokusanganira, akagadzirawo nawo atari yendarira nesefa yayo yendarirawo nemidziyo yose yeatari iyoyo; kwouyawo zvigadzikiro zvaitenderedza nhandare yose, nezvigadzikiro zvapasuo guru raro nehoko dzose dzetendhe rinoera, nedzamachira okudzikatirisa aikomberedza nhandare yaro yose. Vakatora wuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku vakagadzira hanzu dzavapristi dzaipfekwa pakuita basa romunzvimbo inoera. Vakagadzira hanzu dzinoera dzaAroni, sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Akagadzira hanzu yeefodhi namachira erineni akanakisisa. Akairukira newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku neshinda yendarama. Vakapfura ndarama vachiita mapape. Vakacheka-cheka mapape endarama iwayo vachiita tutseta tutetetete, twakazorukirwa mumachira erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Vakagadzirira efodhi zvipenga zviviri zvepamapfudzi zvikasonererwa pairi, nomundya wayo wokuisungisa wakanga wakanyatsorukwa nejira rakafanana nerayo, rerineni rakanakisisa, wakarukirwa neshinda yendarama newuru neyeruvara rwedenga noruvara rwehute netsvuku, sezvakanga zvaudzwa Mosesi naTenzi. Akatora mabwe eonikisi, akaaisa patusefa twesimbi twendarama akanyora paari sezvinoitwa pachidhindo, mazita avanakomana vaVaIsiraeri. Akaisa mabwe iwayo pazvipenga zvapamapfudzi peefodhi kuti ave okuyeuka nawo vanakomana vaIsiraeri, sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Akagadzira nyembe yepadundundu yakanyatsogadzirwa yakaitwa sezvakaitwa efodhi. Yakagadzirwa nejira rerineni rakanakisisa, rakarukirirwa neshinda yendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Yaive yakapetwa ruviri, iine mativi mana akaenzana. Kureba nokufara kwayo kuchiita masendimita makumi maviri ana masendimita maviri. Akaisa pairi mitsara mina yetumabwe tunokosha. Mutsara wokutanga wakanga uine katombo kerubhi netopazi neganeti. Mutsara wechipiri waiva nekeemeradhi nesafaya nedhaimondi. Mutsara wechitatu waiva neketekoizi neagati neametesiti. Mutsara wechina waiva nekebheriri neonikisi nejasipa. Twakanga twakaiswa patusefa twesimbi twendarama. Paiva notumatombo gumi netuviri tune mazita anofambirana namazita avanakomana vavaIsiraeri. Twakanga twakanyorwa mazita amadzinza gumi namaviri evaIsiraeri, katombo koga koga kaine zita rako. Vakagadzira tucheni tuviri twakakoswa twendarama chaiyo yakanakisisa vakatuisa panyembe iye yapadundundu. Vakagadzirawo tusefa twesimbi tuviri twendarama twokunamatidza mabwe, namaringi endarama maviri, vakasonera maringi maviri iwayo pamakona maviri okumusoro kwenyembe yepadundundu. Vakasungirira tucheni tuviri twendarama twakakoswa tuye pamaringi maviri epanyembe yepadundundu. Vakasungirira tucheni tuviri twokumusoro tuye patusefa twesimbi twendarama twuya twapamapfudzi tukava nechepamberi pezvipenga zviviri zveefodhi zvapamapfudzi. Vakagadzirawo maringi maviri endarama vakaasonera nechomukati menyembe yapadundundu pamakona ezasi pedyo neefodhi. Vakagadzirawo mamwe maringi maviri endarama vakaasonera nechemberi, pamakona ezasi ezvipenga zviviri zvepamapfudzi zviya zveefodhi pedyo nomupendero wayo pamusoro pomundya uya wakanyatsorukwa. Vakasunga nyembe yapadundundu nomumaringi acho, nomundya weruvara rwedenga vachisunganidza maringi epanyembe yapadundundu namaringi epaefodhi. Nokudaro nyembe yapadundundu yakagara yakasimba iri nechokumusoro kwomundya womuchiuno, kuitira kuti nyembe irege kubva paefodhi, sezvakanga zvaudzwa Mosesi naTenzi. Akagadzirawo gemenzi reefodhi, rakarukwa rose zvaro riri rweruvara rwedenga. Raiva nehuro pakati paro pokupinza napo musoro. Paiva nomupendero wakarukwa uchipoteredza huro iyoyo kuti rirege kubvaruka. Pamupendero wegemenzi iroro wose wezasi vakasonera zvinenge michero yemapomegiraneti zveruvara rwedenga nezveruvara rwehute nezvitsvuku nejira rerineni rakanakisisa. Vakagadzirawo tumadare twendarama chaiyo yakanakisisa. Pamupendero wakatenderedza gemenzi iroro vakasonerera kadare pakati peainge mapomegiraneti maviri oga oga. Vakazvisonerera zvichitsinhanha zvichiti apa kadare apa kanenge muchero wemapomegiraneti; apa kadare apa kanenge muchero wemapomegiraneti zvakatenderera mupendero wose wegemenzi rokushandisa pabasa raMwari, sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Vakagadzirirawo Aroni navanakomana vake hanzu dzinenge dzoda kusvika mumabvi dzejira rerineni rakanakisisa, kwouya ngundu yejira rerineni rakanakaisisa nenguwani dzejira rerineni rakanakisisa kwazvo, namabhurukwa ejira rerineni rakanakisisa, kwoti mundya wejira rerineni rakanakisisa rakarukirirwa newuru neyeruvara rwedenga neruvara rwehute netsvukutsvuku, sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Vakagadzira karata kechiremba kanoera kendarama chaiyo yakanakisisa vakanyorapo sezvinoitwa pachidhindo mazwi anoti, “Nyakutsaurirwa Tenzi.” Vakasungirira tambo yebhuruu pakarata ikako yokukasungirira nayo pangundu iya, nechapamusoro payo sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Ndokupedza kwakaitwa basa rose rokugadzira tendhe rokusanganira. VaIsiraeri vakagadzira izvozvo zvose sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Vakaunza kuna Mosesi izvi zvinoti: tendhe rinoera, machira etendhe racho nemidziyo yaro yose, nezvikochekero zvaro namapango aro akavezwa, nembariro dzaro namapango aro nezvigadzikiro zvawo, kwouya dahunha repadenga ramatehwe ehondohwe akasukwa akatsvukiswa uye nerimwe dahunha repo ramatehwe etahashi, nejira rechidzikatiro, kwouyawo bhokisi rechitenderano namapango aro, nehwidibiro yaro; kwoti teburu nemidziyo yayo yose, nechingwa chokuisa pana Mwari, nechigadzikiro chomwenje chendarama chaiyo namarambi acho, nemidziyo yacho yose namafuta emarambi; kuchizoti atari yendarama namafuta okuzodza nawo, norusenzi runonhuhwirira, namachira okudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera; kwozouya atari yendarira nesefa yayo yendarira namapango ayo nemidziyo yayo yose nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo; kwozouyawo machira okukomberedza nhandare yayo namapango aro nezvigadzikiro zvawo, namachira okudzikatirisa pasuo raro guru, netambo dzaro nehoko dzaro nemidziyo yaro yokushandisa mutendhe rinoera rokusanganira; pachizouya hanzu dzinoera dzokushandisa munzvimbo inoera dzakanyatsorukwa, dzomupristi Aroni, nehanzu dzavanakomana vake dzokushandisa savapristi. VaIsiraeri vakaita basa iroro rose maererano nezvakaudzwa Mosesi naTenzi. Mosesi akatarisa zvose zvakanga zvagadzirwa akaona kuti zvakanga zvaitwa naimomo chaimo makanga manzi naTenzi muitwe nomo. Mosesi akavapa chikomborero. Tenzi akati kuna Mosesi, “Pazuva rokutanga romwedzi wokutanga, unofanira kumisa tendhe rinoera rokusanganira, uise bhokisi rechitenderano mutendhe imomo; uisewo jira rechidzikatiro rokudzikatidza bhokisi rechitenderano. Unofanira kuuya neteburu iya mutendhe imomo, urongedze pairi midziyo yayo. Uunzewo chigadzikiro chomwenje uise marambi acho pachiri. Unouyawo neatari yendarama yokupisira rusenzi uiise pakatarisana nebhokisi rechitenderano, uise jira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera. Unofanira kuisa atari yokupisira zvibayiro kumusuo, mutendhe rinoera rokusanganira; ugadzike dhishi rokushambira pakati petendhe rinoera neatari inopisirwa zvibayiro uriise mvura. Unozomisa machira okudzikatirisa ukomberedze nhandare yose yetendhe rinoera, uturike machira okudzikatirisa pasuo guru rokupinda munhandare. “Ndopaunozotora mafuta okuzodza wozodza tendhe rinoera nezvose zvirimo, uriteketerere kwandiri pamwechete nemidziyo yaro yose, richabva rava chinhu chinoera. Unofanirawo kuzodza atari yemipiro yokupisa nemidziyo yayo uriteketerere kwandiri. Atari iyoyo ichabva yave inoeresesa kwazvo, uzodzewo dhishi rokushambira nechigadzikiro charo, uriteketerere kwandiri. “Unofanira kuzouya naAroni navana vake vakomana kumusuo wetendhe rokusanganira uvati vashambe nemvura, wobva wapfekedza Aroni hanzu dzinoera, umuzodze mafuta aye, umuteketerere kwandiri kuti andishandire basa roupristi. Vanakomanawo vake uuye navo, uvapfekedze hanzu dzinenge dzoda kusvika mumabvi, uvazodzewo sokuzodza kwaunenge waita baba vavo, kuti vandiitire basa roupristi. Nokuzodzwa ikoku vachava vapristi nokusingaperi pazvizvarwa zvavo zvose.” Ndozvakazoitwa naMosesi, akaita zvose naimomo chaimo maakanga audzwa naTenzi. Naizvozvo pazuva rokutanga, romwedzi wokutanga, wegore rechipiri rokubuda kwevaIsiraeri muIjipiti, tendhe rinoera rakamiswa. Mosesi akamisa tendhe rinoera, akaronga zvigadzikiro zvaro, akamisa mapango aro akavezwa, akaisawo mbariro dzaro, akamisa mbiru dzaro. Akawarira tendhe padenga retendhe rinoera, akazoisawo tendhe rokufukidza pamusoro paro sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Mosesi akatora mafendefa amabwe echitenderano aye akaaisa mubhokisi rechitenderano. Akapfekera mapango okutakurisa bhokisi iroro ndokuripfiga nehwidibiro yaro. Akaunza bhokisi iri mutendhe rinoera ndokuturika jira rechidzikatiro rikadzikatidza bhokisi rechitenderano, sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Mosesi akaisa teburu mutendhe rokusanganira kuchamhembe kwetendhe rinoera, nechekunze kwejira rechidzikatiro. Akarongawo chingwa pana Tenzi sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Mosesi akaisa chigadzikiro chomwenje mutendhe rokusanganira, chakatarisana neteburu iye kumaodzanyemba, mutendhe rinoera. Akagadzikira marambi acho pana Tenzi sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Mosesi akaisa atari yendarama mutendhe rinoera nechepamberi pejira rechidzikatiro, ndokupisa rusenzi runonhuhwira pairi sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Akaturika jira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera. Akaisa atari yokupisira mipiro yokupisa kumusuo kwetendhe rinoera rokusanganira, akapira pairi mupiro wokupisa akapirawo upfu hwomupiro wembesanwa, sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Mosesi akagadzika dhishi rokushambira pakati petendhe rokusanganira neatari, akariisa mvura yokushamba yokuti iye Mosesi kwouya Aroni navanakomana vake vapote vachishamba maoko namakumbo avo, pakupinda mutendhe rokusanganira napakuenda paatari, vaishamba sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Mosesi akamisa machira aye okudzikatirisa akakomberedza nhandare yetendhe rinoera, neatari ndokumisawo machira okusuo guru rokupinda munhandare. Naizvozvo Mosesi akapedza kuita basa iroro rose. Ipapo gore rakakwidibira tendhe rokusanganira, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukazadza tendhe rinoera. Mosesi haana kukwanisa kupinda mutendhe rokusanganira pamusana pegore rakanga rakati kwidiba pariri uyewo nokupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwakazadza tendhe rinoera. Murwendo rwavo rwose, vaIsiraeri vaiti kana gore rasimuka, rabviswa patendhe rinoera, vaibva vasimudzirawo rwendo rwavo. Asi kana gore iroro rainge risina kubviswapo, havaizosimudzira rwendo rwavo kusvikira zuva rarainge rabviswapo, nokuti vaIsiraeri vose murwendo rwavo irworwo rwose vaiona gore raTenzi rainge riri pamusoro petendhe rinoera masikati, usikuwo painge paine moto. Tenzi akadaidza Mosesi mutendhe rokusanganira akataura kwaari achiti, “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana munhu achida kuunza mupiro kuna Tenzi, ngaaunze chibayiro chake chezvipfuwo, chingave mombe kana hwai kana mbudzi.’ “Kana mupiro wake wokupisa iri mombe, ngaaunze yomukono, isina chinoshoreka pairi. Ngaauye nayo kumusuwo wetendhe rinoera kuti Tenzi amugamuchire. Munhu iyeyo ngaaise ruoko rwake pamusoro wechibayiro chokupisa ichocho. Chibayiro ichocho chichatora nzvimbo yake kuti chipfupire zvitadzo zvake. Munhu iyeyo ngaaurayire handira yake pamberi paTenzi. Vapristi vemhuri yokwaAroni ngavapire ropa rayo kuna Tenzi, vachirisasa pamativi mana eatari yokumusuwo wetendhe rokusanganira. Muridzi wemupiro wokupisa iwoyo ngaaivhiye, aiteme-teme. Vana vaAroni mupristi, vachaisa moto paatari varonge huni pamoto iwoyo. Vana vaAroni vapristi ngavaronge nyama iya yatemwa-temwa zvose nomusoro wayo, namafuta ayo pamusoro pehuni dziri kubvira paatari. Muridzi wayo ngaaisuke nemvura, zvomukati zvayo nemazondo ayo. Muprisiti ngaapisire zvose izvozvo paatari, somupiro wokupisa, mupiro unoitwa zvokupisa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. “Kana chipo chake chemupiro wokupisa chiri hwai kana kuti mbudzi, ngaive hono isina chinoshoreka pairi. Ngaaiurayire kuchamhembe kweatari, pana Tenzi. Vapristi vemhuri yokwaAroni ngavasase ropa rayo pamativi mana ose eatari. Munhu iyeyo ngaaiteme-teme nomusoro wayo namafuta ayo, mupristi ngaaironge paatari, ayo pamusoro pehuni dziri kubvira moto paatari. Muridzi wayo ngaasuke nemvura zvomukati zvayo nemazondo ayo. Mupristi ngaapisire zvose izvozvo somupiro wokupisa, mupiro unoitwa zvokupisa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. “Kana munhu achida kupira kuna Tenzi somupiro wake wokupisa weshiri ngaaunze chipo chenjiva kana kuti hangaiwa duku. Mupristi ngaaiunze paatari, aimonye mutsipa, idimuke musoro, aipise paatari. Ropa rayo ngariregwe richibuda richiyerera, richidzika neparutivi rweatari. Ngaabvise chihururu neminhenga yayo azvirasire panorasirwa dota kumabvazuva kweatari. Ngaabate mapapiro ayo aitsemure nepakati, asi ngaarege kuikwachura. Mupristi iyeyo ngaaipisire paatari, pahuni dziri kubvira moto paatari, somupiro wokupisa, unoitwa zvokupisa, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.” Kana munhu achida kupa kuna Tenzi chipo chembesanwa, mupiro wake ngauve upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa, ngaahudirewo mafuta ahumwaye rusenzi pamusoro, aunze izvozvo kuna vapristi vemhuri yokwaAroni. Ngaanokore chanza chizere choupfu hwekoroni huna mafuta norusenzi rwaho hwose. Mupristi ngaapisire tsama iyoyo paatari ive chirango chokupirwa kwaitwa upfu ihwohwo hwose kuna Tenzi, mupiro unoitwa zvokupisia, unonhuhwirira zvinofadza. Zvinenge zvasara pamupiro wembesanwa ndezvaAroni navanakomana vake, ichi chikamu chinoera kwazvo chomupiro wokupisa unopirwa kuna Tenzi. Kana uchinge uchiunza mupiro wembesanwa wechingwa chakabikwa muovhoni, ngachive chisina mbiriso, chakabikwa noupfu hwakanyatsokuyiwa, chakakanyiwa namafuta kana kuti chingwa chakati fatata chisinawo mbiriso chakazorwa mafuta. Kana mupiro wako wembesanwa uri wechingwa chakabikwa chichiita zvokubikwa mupani, ngachive choupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa, chisina mbiriso, chakakanyiwa nemafuta. Chimedure-medure uchidire mafuta, iwoyu mupiro wembesanwa. Kana mupiro wako wembesanwa uri wechingwa chakabikirwa mupani, ngachibikwe noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta. Uya nomupiro wembesanwa wakagadzirwa nezvinhu izvozvi kuna Tenzi, uzvipe mupristi auye nazvo kuatari. Mupristi ngaanokore tsama yechirango youpfu ihwohwo hwose hwemupiro wembesanwa apise paatari, mupiro unoitwa zvokupisa, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. Zvinosara pamupiro iwoyo ndezva Aroni navanakomana vake, ichi chikamu chinoera kwazvo chomupiro wokupisa kuna Tenzi. Ngakurege zvako kuva nomupiro wembesanwa waunounza kuna Tenzi uine mbiriso nokuti haufanire kupira kuna Tenzi mbiriso kana uchi zvahwo somupiro unoitwa zvokupisa kuna Tenzi. Mupiro wezvinotanga kukohwewa ngauunzwe zvawo kuna Tenzi, asi ngaurege kupirwa kuna Tenzi paatari somupiro uya unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. Mipiro yako yose yembesanwa ngairungwe nomunyu. Munyu wechitenderano chako naMwari wako ngaurege kushaikwa mumupiro wako wembesanwa. Mupiro wako wose unofanira kuti uve nemunyu. Kana wouya kuna Tenzi nomupiro wembesanwa dzezvinotanga kukohwewa unofanira kupira mupiro wembesanwa dzakadzurwa dzinotorwa patsanga itsva dzikakangwa. Dziise mafuta norusenzi, iwoyuzve mupiro wembesanwa. Mupristi ngaapise katsama kechirango kembesanwa dzakadzvurwa dzina mafuta, ngaadzipise pamwechete norusenzi rwose, somupiro unoitwa zvokupisirwa Tenzi. Kana munhu achida kupira Tenzi chibayiro chake kuti chive mupiro wokuwadzana, ingave mombe yomukono kana hadzi, asi ngaive isina chinoshoreka. Munhu iyeyo ngaaise ruoko rwake pamusoro wayo, aiurayire kumusuwo wetendhe rokusanganira. Vana vaAroni ngavasase ropa rayo pamativi ose eatari. Pachibayiro chomupiro wokuwadzana unopirwa kuna Tenzi uchiitwa zvokupiswa ngaabvise mafuta ose anoputira zvomukati namafuta ari pazviri, neitsvo mbiri namafuta ari pakatinginika petsvo nedivi rechiropa rakareba nechinyama chepachiropa chaachabvisa pamwechete netsvo. Vanakomana vaAroni ngavapisire zvose izvozvo paatari pamwechete nomupiro wokupisa, pahuni dziri kubvira moto, iwoyu mupiro unoitwa zvokupisa, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. Kana mupiro wake wokuwadzana kuna Tenzi uri wehwai kana mbudzi, hono kana hadzi, ngaive isina chinoshoreka. Kana munhu achida kupira hwai, ngaauye nayo kuna Tenzi, aise ruoko rwake pamusoro pechibayiro chake aiurayire kumusuwo wetendhe rokusanganira. Vanakomana vaAroni ngavasase ropa rayo pamativi ose eatari. Pachibayiro chomupiro wokuwadzana, unopirwa kuna Tenzi uchiita zvokupiswa, ngaapire mafuta acho, neemuswe wacho wose, wakakora, wakachekwa nepaunosangana nomusana, namafuta ose anoputira zvomukati, neari pazviri, neitsvo mbiri, namafuta ari pakatinginika petsvo, nedivi rechiropa rakareba. Mupristi ngaapisire Tenzi nyama idzodzo dzose paatari, somupiro wezvokudya unoitwa zvokupiswa. Kana chibayiro chake kuna Tenzi chiri chembudzi, ngaauye nayo kuna Tenzi aise ruoko rwake pamusoro wayo, aiurayire kumusuwo wetendhe rokusanganira. Vanakomana vaAroni ngavasase ropa rayo pamativi ose eatari. Pachibayiro ichocho, ngaabvise mafuta anoputira zvomukati neari pazviri, apire kuna Tenzi mupiro unoitwa zvokupisa, neitsvo namafuta ari padziri nechinyama chepachiropa. Mupristi ngaapisire nyama idzodzo dzose paatari, achipira Tenzi mupiro wezvokudya unoitwa zvokupiswa unonhuhwirira zvinomufadza. Mafuta ose ndeaTenzi. Uyu murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose wokuti: kose kwamuchagara musadye mafuta kana ropa. Mwari akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti, ‘Zvingaitike kuti munhu anotadzira Tenzi, mukusaziva, achityora mutemo wake achiita zvinorambidzwa nomutemo.’ “Kana ari mupristi akazodzwa atadzira Mwari achiita kuti vanhu vave nemhosva, ngaapire kuna Tenzi handira ichiri duku isina chinoshoreka pairi, achiripira chitadzo chake. Ngaaunze handira iyoyo kuna Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira, aise ruoko rwake pamusoro wayo, aiurayire pana Mwari ipapo. Mupristi akazodzwa ngaatore rimwe ropa rehandira iyoyo apinde naro mutendhe rokusanganira. Mupristi ngaanyike munwe wake muropa iroro arisase kanomwe pamberi paTenzi pakatarisana nejira rokudzikatirisa, munzvimbo inoera. Mupristi ngaaise rimwe ropa pane zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari yokupisira rusenzi runonhuhwirira iya iri mutendhe rokusanganira. Ngaadururire rimwe ropa rose nechepasi peatari yokupirira mupiro yokupisa iri kuumusuo wetendhe rokusanganira rinoera. Pahandira iyoyo yemupiro wokupfupira zvitadzo ngaabvise mafuta akaputira zvomukati, neose ari pazviri, netsvo mbiri namafuta ari pakatinginika petsvo nedivi rechiropa rakareba, sokubviswa kwazvinoitwa mumombe yechibayiro chemupiro wokuwadzana. Mupristi ngaapisire zvose izvozvo paatari yomupiro wokupisa. Asi ngaatore dehwe rehandira iyoyo nenyama yayo yose nomusoro wayo namazondo ayo nezvomukati nechinzvinzvi chayo. Ngaatakure handira iyoyo yose aende nayo kunze kwematendhe pakachena panorasirwa dota. Ngaapise pamoto wehuni panorasirwa dota. “Kana riri gungano rose ravaIsiraeri rinenge ratadzira Tenzi mukusaziva asi zviri zvakavandika kumaziso egungano vapara mhosva yokuita chimwe chezvakarambidzwa naTenzi, chitadzo chavakaita chikazozivikanwa, gungano rinofanira kupira handira ichiri duku somupiro wokupfupira zvitadzo, kumusuo wetendhe rokusanganira. Ipapo vatungamiriri vose vevaIsiraeri ngavaise maoko avo pamusoro wehandira iyoyo pana Tenzi vaiurayire ipapo pana Tenzi. Mupristi akazodzwa ngaatore rimwe ropa rehandira iyoyo aende naro mutendhe rokusanganira. Mupristi ngaanyike munwe wake muropa iroro arisase kanomwe pamberi paTenzi pakatarisana nejira rokudzikatirisa. Ngaaise rimwe ropa pane zvinenge nyanga zviya zviri pamusoro pemakona eatari yokupisira iri mutendhe rokusanganira. Ngaadururire rimwe ropa rose pasi peatari yokupisira zvibayiro iri kumusuo wetendhe rokusanganira. Ngaabvise mafuta ayo ose aapisire paatari. Zvaanoita nehandira iya yomupiro wokupfupira zvitadzo ndizvo zvaanofanira kuitawo nehandira yechibayiro chezvitadzo. Ipapo mupristi anobva apfupira chitadzo chavo chichibva charegererwa. Ngaatore handira iyoyo aende nayo kunze kwematendhe aipisire ikoko sokupisa kwaakaita handira yokutanga iya. Ichi chibayiro chegungano ravaIsiraeri chokupfupira zvitadzo. “Kana mutongi ari iye atadzira Mwari mukusaziva apara mhosva yokuita zvinorambidzwa naTenzi Mwari wake, chitadzo chaakapara ozochiziviswa hake, ngaaunze mupiro wegotora risina chinoshoreka. Ngaaise ruoko rwake pamusoro wembudzi iyoyo aiurayire pana Tenzi panourayirwa zvibayiro zvokupisa. Iwoyu mupiro wokupfupira zvitadzo. Mupristi ngaanyike munwe wake muropa rechibayiro chokupfupira zvitadzo ichocho, ariise pane zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari yomupiro wokupisa. Ngaadururire rimwe ropa rose nechapasi peatari yomupiro wokupisa. Ngaapisire mafuta ayo ose paatari sezvinoita pamupiro wokuwadzana. Saka mupristi anopfupira chitadzo chomutongi iyeyo mutongi achibva aregererwa. “Kana ari mumwe munhuwo zvake atadzira Mwari mukusaziva, apara mhosva yokuita zvakarambidzwa naTenzi, akange aziviswa chitadzo chaakaita ngaaunze mbudzi hadzi yokuripa chitadzo isina chinoshoreka. Ngaaise ruoko rwake pachibayiro chake chokupfupira zvitadzo achiurayire panourayirwa mipiro yokupisa. Mupristi ngaanyike munwe wake muropa racho ariise pane zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari yomipiro wokupisa. Ngaadururire rimwe ropa rose nechepasi peatari iyoyo. Ngaabvise mafuta ayo ose sokubviswa kunoitwa mafuta ezvibayiro zvokuwadzana. Mupristi ngaapisire mafuta iwayo paatari, kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. Saka mupristi acharipira chitadzo chake iye anobva aregererwa. “Kana iri hwayana yaanounza kuita chibayiro chokupfupira zvitadzo, ngaive sheshe isina chinoshoreka. Ngaaise ruoko rwake pamusoro wayo, aiurayire panourayirwa mipiro yokupisa. Mupristi ngaanyike munwe wake muropa rayo, ariise pane zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari yomupiro wokupisa. Ngaadururire rimwe ropa rose nechepasi peatari iyoyo. Ngaabvise mafuta ayo ose sokubviswa kunoitwa mafuta ehwayana dzezvibayiro zvemipiro yokuwadzana. Mupristi ngaapisire mafuta iwayo paatari pamwechete nomupiro wokuwadzana unopirwa kuna Mwari uchiitwa zvokupiswa. Saka mupristi achapfupira chitadzo chemunhu iyeyo chaakapara chichibva charegererwa. “Munhu anenge anzi nedare, ngaapupure nezvemhosva yaanoziva kana kuti yaakaona, kana akarega kudaro apara mhosva. “Munhu anenge abata chinhu chakan'ora chingave chitunha chemhuka yakan'ora kana kuti chechipfuwo chakan'ora kana tumwewo tupukanana twakan'ora twakawandawanda twakafa asingazivi, munhu iyeyo akan'oreswa atopara mhosva. “Kana kuti munhu abata chinon'oresa munhu chingave chin'orwa chipi nechipi zvacho chin'oresa munhu mukusaziva, paanozongoziva zvaaita anobva ava nemhosva. “Munhu anovhurumukira kupika mhiko yokuita zvakaipa kana zvakanaka, kana kuita chipikepike zvacho chemhiko chingaitwe nomunhu akazonyatsoziva mhiko yaakaita pakarepo atova nemhosva yechimwe chazvo. “Kana munhu aine mhosva yechimwe chezvinhu izvozvi ngaareurure chitadzo ichocho. Anofanira kuunza kuna Tenzi mupiro wokuripa mhosva yokupfupira chitadzo chaakaita. Ngaaunze sheshe yehwai kana yembudzi yomupiro wokupfupira zvitadzo. Mupristi ngaaite mupiro wokuripira chitadzo chake. “Kana asingakwanisi kuwana hwayana, ngaaunze mupiro wokuripa mhosva kuna Tenzi yechitadzo chaakaita yenjiva mbiri kana hangaiwa dzichiri diki. Imwe njiva ndeyo mupiro wokupfupira chitadzo, imwe ndeyomupiro wokupisa. Anofanira kuuya nadzo kumupristi atange kupira shiri yomupiro wokupfupira chitadzo. Ngaaimonye mutsipa aibvise musoro, arege kuitsemura. Ngaasase rimwe ropa rayo parutivi rweatari, rimwe ropa rose riregwe richidonhera nechepasi peatari. Iwoyu mupiro wokupfupira chitadzo. Mupristi ngaapire shiri yechipiri ive mupiro wokupisa maererano nomurao. Mupristi ngaapire mupiro wokupfupira chitadzo ichocho pamusana pechitadzo chakaitwa nomunhu iyeyo, anobva aregererwa. “Kana asingakwanisi kuwana njiva mbiri kana hangaiwa dzichiri diki mbiri, ngaaunze mupiro wokupfupira chitadzo chaakaita weupfu hwekoroni hwakatsetseka hunorema kirogiramu rimwechete hwemupiro wokupfupira. Ngaarege kuisa mafuta eorivhi kana rusenzi muupfu ihwohwo nokuti mupiro iwoyo ndowekupfupira chitadzo. Ngaauye nahwo kumupristi. Mupristi ngaanokore chanza chizere chahwo chechirango apise paatari pamwechete nemipiro inoitwa zvokupisira kuna Tenzi. Iwoyu mupiro wokupfupira zvitadzo. Naizvozvo mupristi anofanira kumuitira mupiro wokupfupira chitadzo, chaakapara pane chimwe chaizvozvo, anobva aregererwa. Zvinosara ipapo ndezvemupristi, sezvinoitwa pamupiro wembesanwa.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Kana munhu akakanganisa mukusaziva aita udyire hokusapa zvinhu zvinoera zvinofanira kuripwa kuna Tenzi, anofanira kuunza mupiro wokuripa mhosva kuna Tenzi wehondohwe yomudanga make, isina chinoshoreka pairi. Iwe ndiwe unotema mutengo wayo wemari yesirivha inowirirana nemari yesirivha iya yeShekeri yomuNzvimbo Inoera. Ichochi chibayiro chemupiro wokuripa mhosva. Anofanira kudzosera pakare zvinhu zvinoera zvaaifanira kunge akapa. Pazvikamu zvishanu zvakaenzana, ngapapamhidzirwe chimwechete, achipe kumupristi. Mupristi ngaamupirire chibayiro chokupfupira zvitadzo nehondohwe iya yemupiro wokuripa mhosva. Chitadzo chake chonobva charegererwa. “Ani naani anenge atadza mukusaziva, apara zvakarambidzwa naTenzi apara mhosva, anofanira kutakura mutoro wemhosva yake, ngaaunze kune mupristi hondohwe yomudanga make, isina chinoshoreka pairi, yomutengo waunotema iwe, ive chibayiro chokuripa mhosva. Mupristi ngaamupirire chibayiro chokupfupira kukanganisa kwaakaita mukusaziva, anoregererwa. Ichocho chibayiro chokuripa mhosva. Munhu iyeyo ane mhosva pana Tenzi.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ngatiti munhu atadzira Tenzi, akatadza kuve munhu anovimbika kwaari nokunyengedza kwaanoita mumwe wake panyaya dzokubatiswa zvinhu, kana dzokuchengeteswa zvinhu, kana dzokupamba zvinhu, kana dzokuwana zvinhu kune mumwe wako nomutoo usina kunaka, kana kuti owana chinhu chomumwe chakarashika, onyepa achipika zvenhema zvake nezvacho, kana sezvinongoitwa navanhu mune zvimwe zvizhinji zvavanoita vachizotadza, kana munhu akanganisa achipara mhosva mukudaro, ngaadzosere zvaakapamba, kana zvaawana nechisimba, kana zvaakanga abatiswa achichengeteswa, kana chakanga charasika chaakanhonga, kunyange chiya chaakatopika nezvacho zvenhema. Ngaachidzosere chakanyatsokwana, anofanira kuwedzera chikamu cheshanu pachiri achipe kumuridzi wacho musi wokupira chibayiro chake chokupfupira zvitadzo. Anofanira kuuya kumupristi nomupiro wake wokuripa mhosva kuna Tenzi wehondohwe yomudanga make, isina chinoshoreka uteme mutengo wayo womupiro wenhendamurandu. Mupristi anofanira kumupirira mupiro wokupfupira zvitadzo pana Tenzi aregererwe.” Munhu iyeyo anoregererwa chaakakanganisa panyaya dzezvinhu zvingakanganiswe navanhu vachipara mhosva. Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza Aroni navanakomana vake kuti, ‘Mutemo womupiro wokupisa ndouyu: Mupiro wokupisa unofanira kurara uri pamoto, paatari, usiku hwose kusvikira mangwanani. Moto wepaatari unofanira kugara uchipfuta nguva dzose.’ Mupristi anofanira kuzopfeka gemenzi rake rerineni, apfekewo bhurukwa rake romukati rerineni, ahworere dota remoto womupiro wokupisa rinenge riri paatari, ariise munyasi meatari. Anozofanira kuzobvisa hanzu dzake idzodzo, apfeke dzimwe, atakure dota riya aende naro kunze kwaatendhe kunzvimbo yakachena. Moto wapaatari ngaugare uchipfuta nguva dzose, musaurege uchidzima. Mupristi ngaaise huni pamoto iwoyo mangwanani oga oga, aronge nyama yomupiro wokupisa pauri, apisirepo mafuta emupiro wokuwadzana. Moto wapaatari ngaurambe uchipfuta, haufanire kudzima. “Mutemo womupiro wembesanwa ndouyu: vanakomana vemhuri yekwaAroni vanofanira kupira mupiro wembesanwa pana Tenzi pamberi peatari. Mumwe wavo anofanira kunokora chanza chizere choupfu hwekoroni, hwakatsetseka, hwemupiro wembesanwa hwechirango, namafuta ahwo, norusenzi rwose rwuri pamupiro wembesanwa, apise paatari, kunhuhwirira kwawo kunofadza Tenzi. Aroni navanakomana vemhuri yake ndovachadya zvinenge zvasara zvinofanira kudyiwa panzvimbo inoera zvisina mbiriso. Ngavadyire muruvanze rwetendhe rokusanganira. Ngazvirege kubikwa nembiriso. Ndazvipa kwaari somugove wavo kubva pamipiro yangu inoitwa zvokupiswa nomoto, chinhu chinoera kwazvo sezvakaita mupiro wokupfupira zvitadzo, nomupiro wokuripa mhosva. Varume vose vemhuri yekwaAroni ndovanobvumirwa kuzvidya, somurao unogara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose chichibva pamipiro yaTenzi inoita zvokupiswa. Ani naani anenge azvibata anobva ava munhu anoera.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Mupiro uchapirwa kuna Tenzi naAroni navanakomana vemhuri yake pazuva raanogadzwa ndouyu: ngaapire marita maviri eupfu hwekoroni, hwakatsetseka semupiro wembesanwa wezuva nezuva, ahukamure nepakati, apire humwe mangwanani humwe manheru. Chingwa ichocho ngachive choupfu hwakakanyiwa pamwechete namafuta, chakabikwa mupani. Ngaachimedure-medure chisasikirwe Tenzi somupiro wembesanwa, unonhuhwirira zvinomufadza. Mupristi pakati pavana vaAroni anenge azodzwa kuva mupristi kutsiva Aroni, ngaaupire kuna Tenzi sechinhu chakatemwa nokusingaperi, mupiro wose iwoyo ngaupiswe. Mupiro wembesanwa iwoyo womupristi ngaupiswe wose, haufaniri kudyiwa.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza Aroni navanakomana vake kuti, ‘Mutemo womupiro wokupfupira zvitadzo ndouyu: chibayiro chemupiro wokupfupira zvitadzo ngachiurayirwe panourayirwa zvibayiro zvokupisa pamberi paTenzi.’ Mupiro iwoyo unoera kwazvo. Mupristi anenge apira chibayiro ichochi chokupfupira zvitadzo ngaachidye panzvimbo inoera, muruvanze rwetendhe rokusanganira. Chii zvacho chinenge chagunzvana nenyama yechibayiro ichocho chichava chinoera. Kana ropa rechibayiro ichocho rikadonhera pahanzu ngaisukirwe panoera. Hari yevhu inenge yabikirwa nyama iyoyo ngaiputswe. Asi kana yabikirwa mupoto yondarira kweshai poto iyoyo muisukurudze nemvura. Vanhurume vose vemhuri dzavapristi vanobvumirwa kuidya, mupiro iwoyo unoera kwazvo. Hapana chibayiro chemupiro wokupfupira zvitadzo chinofanira kudyiwa kana ropa racho rambounzwa mutendhe rokusanganira kuzopfupira zvitadzo. Chibayiro ichocho chose zvacho ngachipiswe. “Mutemo womupiro wokuripa mhosva ndouyu: mupiro iwoyu unoera kwazvo, Panourayirwa chibayiro chomupiro wokupisa ndipo panourairwa chibayiro chomupiro wokuripa mhosva. Ropa racho ngarisaswe pamativi ose eatari. Mafuta acho ose ngaapirwe pamwechete namafuta omuswe wayo, namafuta akaputira zvomukati netsvo mbiri namafuta ari pakatinginika petsvo nedivi rechiropa rakareba, nechinyama chapachiropa chaachabvisa pamwechete netsvo. Mupristi ngaazvipise paatari kuna Tenzi somupiro unoita zvokupiswa, iwoyu mupiro wokuripa mhosva. Vanhurume vose, vapristi ndovanobvumirwa kuudya. Ngaudyirwe panzvimbo inoera unoera kwazvo. “Mupiro wokuripa mhosva, sezvakangoitawo mupiro wokupfupira zvitadzo, mutemo wayo mumwechete wokuti: mupristi anenge apira mupiro wokupfupira zvitadzo ndiye muridzi wenyama. Mupristi anenge apira munhu mupiro wokupisa, ndiye muridzi wedehwe rechipfuwo chaapira. Chingwa chinenge chakabikirwa muovhoni kana chakabikirwa mupani kana kuti chinenge chakaitwa zvokusasika pamoto, chemupiro wembesanwa wose wose zvawo, ndechemupristi anenge apira mupiro iwoyo. Mupiro wose wose zvawo wembesanwa, ungave zvawo weupfu hwakakanyiwa namafuta kana hwakaoma, ndewevanakomana vose vekwaAroni pasina zvokusarudza. “Mutemo wezvibayiro zvemipiro yokuwadzana ingaunzwe nomunhu kuna Tenzi ndouyu: Kana mupiro iwoyo uri wokutenda, ngaapire pamwechete nechibayiro chokutenda chingwa chisina mbiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nechimwe chingwa chakati fatata chisina mbiriso, chakazorwa mafuta, nechimwewo chingwa cheupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa chakanyatsokanyiwa namafuta. Paanounza chibayiro chake chomupiro wokuwadzana, wokutenda, ngaauyewo nechingwa chine mbiriso. Pane chingwa ichocho ngaapire kuna Tenzi chingwa chimwechete pamhando, ichocho chichava chomupristi anenge asasa paatari ropa rechibayiro chomupiro wokuwadzana. Nyama yechibayiro chomupiro wake wokuwadzana, wokutenda ngaidyiwe zuva rakarero rainenge yapirwa. Ngaarege kusiya nyama yayo kusvikira mangwana. “Asi kana chibayiro chake chiri chezvaakambotsidza kupa, kana kuti uri mupiro waakasarudza kupira nomwoyo wake, ngachidyiwe musi wakarewo wachaurayiwa. Nyama inenge yasara inogona zvayo kudyiwa ramangwana acho. Asi nyama yechibayiro ichocho inosara kusvikira zuva retatu ngaipiswe nomoto. Kana nyama yechibayiro ichocho chomupiro wake wokuwadzana, ikangodyiwa zvayo pazuva retatu, munhu anenge aupira haazogamuchirwa, uyewo haazoonekwa sepane chaaita chakanaka, asi anenge atoita chinhu chakaipa kwazvo. Ani naani anoudya imhosva yake. Nyama inenge yagunzvana nechinhu chipi nechipi zvacho chakan'ora haifanire kudyiwa, ngaipiswe nomoto. “Ani naani asina kun'ora anobvumirwa zvake kudya nyama, asi munhu anodya nyama iyoyo yechibayiro chaTenzi chomupiro wokuwadzana iye aine chinhu chinon'oresa munhu, anofanira kuchekaniswa ukama novokwake. Munhu anobata chinhu chakan'ora chingave chinhu chinon'oresa chiri pamunhu, kana chiri pamhuka yakan'ora kana chii zvacho chinon'oresa, chakaipa kwazvo, ozodya nyama yechibayiro chaTenzi chemipiro yokuwadzana, munhu iyeyo atozvichekanisa ukama novokwake.” Mwari akataurira Mosesi kuti, “Iti kuvaIsiraeri musadye mafuta api neapi zvawo, kana emombe, kana ehwai, kana embudzi. Mafuta emhuka yakafa yoga neemhuka inenge yakabvamburwa nechikara munogona zvenyu kuaitisa mamwe mabasa, asi musambofa zvenyu makaadya. Ani naani anodya mafuta echibayiro chomupiro waTenzi unoita zvokupiswa atozvichekanisa ukama nevokwake. Kwose kwose zvako kwamuchandogara musadye ropa, ringave reshiri kana remhuka. Munhu wose zvake anodya ropa ripi neripi zvaro anofanira kuchekaniswa ukama novokwake.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Munhu anopira kuna Tenzi zvibayiro zvemipiro yake yokuwadzana, ngaauye nomupiro wake kuna Tenzi.’ Pachibayiro chake chokuwadzana, ngaatore zvemupiro waTenzi unoita zvokupiswa, auye akazvibata mumaoko iye pachake. Ngaauye nemafuta pamwechete nechityu, avheyese chityu, achisimudzire kuna Tenzi, somupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi. Mupristi ngaapise mafuta iwayo paatari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vemhuri yekwake. Pamipiro yenyu yokuwadzana, torai chidya chorudyi mupe sechipo mupristi. Chidya chorudyi ichocho ndechemwanakomana waAroni anenge apira ropa rechibayiro chomupiro wokuwadzana, nemafuta. Ndinodaro nokuti pamipiro yavaIsiraeri yokuwadzana ndatora chityu kwaari chinenge chasimudzirwa mudenga kupa kuna Mwari, nechidya chomupiro unovheyeswa uchipirwa kwaari ndikapa mupristi Aroni navanakomana vemhuri yekwake, semugove wavo wavanofanira kugara vachipiwa navaIsiraeri.” Pakugadzwa kunoitwa Aroni navanakomana vemhuri yekwake, iwoyu ndiwo mugove wavo pamipiro yaTenzi inoita zvokupiswa musi wavanopirwa kuna Tenzi kuita basa roupristi, ndizvo zvakarehwa naTenzi kuti avape zvichibva kuvaIsiraeri musi wavanogadzwa, somugove wavo wavanofanira kugara vachipiwa pazvizvarwa zvavo zvose. Iwoyu ndiwo mutemo wemupiro wokupisa, nowemupiro wembesanwa, newemupiro wokupfupira zvitadzo, nemupiro wokuripa mhosva, nowokugadza, nemipiro yokuwadzana, wakaudzwa Mosesi naTenzi pagomo reSinai, pazuva raakati vaIsiraeri vaunze mipiro yavo kuna Tenzi, zvavainge vari murenje reSinai. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Tora Aroni navanakomana vake pamwechete nehanzu namafuta okuzodza nehandira yomupiro wokupfupira zvitadzo nehondohwe mbiri netswanda ine chingwa chisina mbiriso, uunganidze gungano rose ravanhu kumusuo wetendhe rokusanganira.” Mosesi akaita zvaakaudzwa naMwari, gungano rose rikaungana kumusuo wetendhe rokusanganira. Mosesi akataurira gungano rose achiti, “Zvandava kuita izvi, ndozvakanzi naTenzi zviitwe.” Mosesi akaunza Aroni navanakomana vake, akavashambidza nemvura. Akamupfekedza hanzu refu inoda kusvika mumabvi, akamusunga mudya muchiuno. Akamupfekedzawo gemenzi, nehanzu yeefodhi akamusunga mudya wakarukwa zvakanaka kwazvo weefodhi, achimusunga muchiuno nawo. Akamupfekedza nyembe dzapadundundu, akaisa machiri Urimu neTumimu. Akamupfekedza ngundu mumusoro, akaisa karata kendarama, kechiremba, kanoera pangundu iyoyo nechapahuma sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Mosesi akatora mafuta okuzodza ndokuzodza tendhe rinoera nezvose zvaivemo, achizvipira kuna Mwari. Akatora mamwe acho akasasa kanomwe paatari nemidziyo yayo yose, nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo, achizvikomborera. Akadira mamwe mafuta okugadza pamusoro waAroni kumugadza achimuteketera kuna Mwari. Mosesi akazounza vanakomana vaAroni akavapfekedza hanzu refu dzinoda kusvika mumabvi, akavasunga midya muchiuno, akavapfekedzawo tunguwani sokutaurirwa kwaakaitwa naTenzi. Akazounza handira yomupiro wokupfupira zvitadzo. Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wehandira iyoyo yomupiro wokupfupira zvitadzo. Mosesi akaiuraya, akatora ropa rayo, akanyika munwe wake muropa iroro akariisa pane zvinenge nyanga achizvitenderedza, akanatsa atari, akadururira ropa nechepasi peatari achiikumikidza kuna Mwari achiichenura. Mosesi akatora mafuta ose ayo pane zvomukati nechinyama chepachiropa netsvo mbiri namafuta ari padziri, akazvipisa paatari. Asi handira iyoyo nedehwe rayo, nenyama yayo, nechinzvinzvi chayo, Mosesi akandozvipisa nomoto kunze kwematendhe sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Akazounza hondohwe yemupiro wokupisa. Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wehondohwe iyoyo. Mosesi akaiuraya, akasasa ropa rayo pamativi ose eatari. Mosesi akadimura-dimura hondohwe iyoyo, akapisa musoro wayo nezvidimbu izvozvo, namafuta. Mosesi akasuka nemvura zvomukati nemazondo ayo, akapisa hondohwe iyoyo yose zvayo paatari somupiro wokupisa, unonhuhwirira zvinofadza, mupiro unoita zvokupiswa kuna Tenzi, sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Mosesi akaunzawo hondohwe imwe yokugadza vapristi nayo. Aroni navanakomana vake vakaisawo maoko avo pamusoro wehondohwe iyoyo. Mosesi akaiuraya akatora ropa rayo akarizora kwokupedzisira kwenzeve yokurudyi yaAroni, napachara choruoko rwake rworudyi, napachigunwe chegumbo rake rorudyi. Vanakomana vaAroni vakaunzwawo, Mosesi akavazora ropa kwokupedzisira kwenzeve dzavo dzokurudyi, napazvara zvamaoko avo okurudyi, nepazvigunwe zvemakumbo avo okurudyi. Mosesi akasasa ropa pamativi ose eatari. Akatora mafuta nemuswe, wakakora, nemafuta ose akaputira zvomukati, nechinyama chepachiropa nemafuta ari padziri, netsvo mbiri nechidya chokurudyi. Mutswanda yezvingwa zvisina mbiriso zvaiva pana Tenzi, akatora chingwa chimwe chisina mbiriso, nechimwe cheupfu hwakakanywa nemafuta, nechimwe chakati fatata akazviisa pamusoro pemanda napamusoro pechidya chokurudyi. Mosesi akapa Aroni navanakomana vake izvozvo zvose. Vakazvibata mumaoko avo, vakazvisimudza vachizviita mupiro unosimudzirwa kuna Tenzi. Mosesi akazvitora mumaoko avo akazvipisa paatari pamwechete nomupiro wokupisa somupiro wokugadza mupristi, unonhuhwirira zvinofadza, iwoyu mupiro unoita zvokupiswa kuna Tenzi. Mosesi akatora chityu akachisimudza achiita mupiro unosimudzirwa kuna Tenzi. Ichochi ndochaiva chityu chehondohwe chakapiwa Mosesi pamugove wehondohwe yokugadza, sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Mosesi akatora mamwe mafuta okuzodza nerimwe ropa raiva paatari akasasa Aroni nehanzu dzake, akasasawo vanakomana vake nehanzu dzavo. Naizvozvo akazvipira kuna Mwari, Aroni nehanzu dzake, pamwechete navanakomana vake. Mosesi akataurira Aroni navanakomana vake achiti, “Bikirai nyama yehondohwe iyi kumusuo wetendhe rokusanganira, muidyire ikoko pamwechete nechingwa chiri mutswanda yemipiro yokugadza sokutaura kwandakamboita ndichiti, ‘Aroni navanakomana vake vanofanira kuidya.’ Zvinenge zvasarapo, nyama nechingwa, ngazvipiswe nomoto. Musambobuda zvenyu pamusuo wetendhe rokusanganira kwamazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadzwa kwenyu apera nokuti kugadzwa kwenyu kunotora mumazuva manomwe. Zvaitwa nhasi uno izvi, ndozvakanzi naTenzi zviitwe, kupfupira zvitadzo zvenyu. Munofanira kuramba muri kumuso wetendhe rokusanganira, siku nesikati, kwamazuva manomwe, muchiita zvinorehwa naTenzi, mungadaro mukafa nokuti ndozvandakaudzwa.” Naizvozvo Aroni navanokomana vake vakaita zvose zvakarehwa naTenzi achizvitaura nomuromo waMosesi. Pazuva rorusere Mosesi akakokera Aroni navanakomana vake, navakuru vakuru vavaIsiraeri kuti vauye, akati kuna Aroni, “Zvitorere chimhuru chomukono yomupiro wokupfupira zvitadzo, nehondohwe yomupiro wokupisa, dzose dziri mbiri ngadzive dzisina chinoshoreka padziri, udzipire kuna Tenzi, utaurire vaIsiraeri kuti, ‘Torai gotora romupiro wokupfupira zvitadzo nemhuru, nehwayana dzose dziri mbiri dzive dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka padziri dzomupiro wokupisa.’ Mutorewo nzombe nehondohwe zvomupiro wokuwadzana, zvokubayira kuna Tenzi pamwechete nomupiro wembesanwa wakasanganiswa nemafuta, nokuti nhasi uno Mwari achazviratidza kwamuri.” VaIsiraeri vakaunza zvose zvakarayirwa naMosesi kumusuo wetendhe rokusanganira, vose vakauya vakasvikomira pana Tenzi. Mosesi akati, “Izvozvi ndizvo zvakanzi naTenzi muite. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kuchazviratidza kwamuri.” Mosesi akati kuna Aroni, “Chienda kuatari upire mupiro wako wokupfupira zvitadzo, nomupiro wako wokupisa upfupire zvitadzo zvako, nevemba yako, upirire vanhu mupiro, sokureva kwaTenzi.” Aroni akaenda kuatari akandouraya chimhuru chomupiro wokupfupira zvitadzo zvake. Vanakomana vaAroni vakamuigira ropa rayo. Akanyika munwe wake muropa iroro akarizora pane zvinenge nyanga zviri paatari, akateurira ropa iroro nechapasi peatari. Mafuta ayo neitsvo nechinyama chapachiropa zvomupiro wokupfupira zvitadzo akazvipisa paatari sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Nyama nedehwe rayo akandozvipisa nomoto kunze kwematendhe. Aroni akauraya chibayiro chomupiro wokupisa. Vanakomana vake vakamuigira ropa racho akarisasa pamativi ose eatari. Vakamugamuchidza chibayiro chomupiro wokupisa, chidimbu nechidimbu chacho, nomusoro wacho akazvipisa paatari. Akasuka zvomukati namazondo akazvipisa paatari pamwechete nomupiro wokupisa. Akauya nomupiro wavanhu. Akatora mbudzi iyoyo yavanhu yezvitadzo, akaiuraya achiipira kupfupira zvitadzo, seyokutanga iya. Akaunzazve chibayiro chomupiro wokupisa akachipira maererano nezviri pamurao. Akauya noupfu hwomupiro wembesanwa, akanokora chanza chizere chahwo, akapisa paatari, kunyange zvazvo kwainge kwapirwa mupiro wokupisa wamangwanani. Akauraya nzombe iya nehondohwe iya, zvibayiro zvemipiro yokuwadzana yavanhu, vanakomana vaAroni vakamuvigira ropa, akarisasa pamativi ose eatari. Mafuta enzombe neehondohwe pamwechete nomuswe wayo wakakora namafuta akaputira zvomukati, netsvo, nechinyama chepachiropa akaisawo mafuta pamusoro pezvityu, akapisa paatari. Asi zvityu nechidya chokurudyi akazvisimudzira somupiro kuna Tenzi sezvakanga zvarehwa naMosesi. Aroni akasimudzira maoko ake kuvanhu, akavapa chikomborero, akaburuka paaipira mupiro wokupfupira zvitadzo, nomupiro wokupisa nomupiro wokuwadzana. Mosesi naAroni vakapinda mutendhe rokusanganira, pavakabudamo vakapa vanhu chikomborero, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukaonekwa navanhu vose. Pakarepo moto wakabva kuna Tenzi ukaroromesa mupiro wokupisa pamwechete namafuta aiva paatari. Vanhu vose pavakazviona vakadaidzira vakati pasi zvambarara. Nadhabhu naAbhihu vanakomana vaAroni vakatora mabisiro avo vakaisa maari moto, vakamwaya rusenzi pamusoro pawo vakapira kuna Tenzi, moto usiri pamutemo, usiriwo wakanga wanzi naTenzi upirwe. Pakarepo moto wakabva kuna Tenzi ukavaparadza, vakafira pana Tenzi ipapo. Mosesi akataurira Aroni achiti, “Hezvoka! Handiti ndizvo zvakamboreva Mwari achiti, ‘Ndicharatidza vanhu vose vanouya kwandiri kuti ini ndinoera uyewo vanhu vose vachandiremekedza.’ ” Asi Aroni akadumbirwa nazvo akapererwa neromuromo. Mosesi akadaidza Mishaeri naErizafani vanakomana vaUzieri babamudiki waAroni akati, “Uyai kuno mubvise vakoma venyu munzvimbo inoera muende kunze kwematendhe.” Naizvozvo vakauya vakavatakura vakapfeka hanzu dzavo dzinenge dzoda kusvika mumabvi, vakaenda navo kunze kwematendhe. Mosesi akarayira Aroni navanakomana vake Ereaza naItama achiti, “Musarege vhudzi renyu richiti bvuru-bvuru, kana kubvarura zvako hanzu dzenyu mungadaro mukafa, uyewo gungano rose ringavirukirwe nehasha dzaMwari. Kana zviri zvehama dzenyu idzi, gungano rose ravaIsiraeri, ngaricheme zvaro kuparadzwa kwavakaitwa nomoto wakapiswa naTenzi. Musambobva pamusuo wetendhe rokusanganira mungadaro mukafa nokuti imi makagadzwa pamakazodzwa mafuta aTenzi.” Naizvozvo vakaita sokuudzwa kwavakaitwa naMosesi. Tenzi akataurira Aroni achiti, “Iwe navanakomana vako musanwe waini kana doro kana mopinda mutendhe rokusanganira, mungadaro mukafa. Iwoyu murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose. Munofanira kusiyanisa zvinhu zvinoera nezvinhu zvisingaeri, zvinhu zvakan'ora nezvinhu zvisina kun'ora. Dzidzisai vaIsiraeri mirao yose yandakataura kwavari nomuromo waMosesi.” Mosesi akataurira Aroni navanakomana vake vaviri vakanga vasara vainzi Ereaza naItamaru achiti, “Torai zvokudya zvomupiro wembesanwa zvinenge zvasara pamupiro unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi, muzvidyire pedyo neatari zvisina mbiriso nokuti zvinoera kwazvo. Udyirei panzvimbo inoera, nokuti ndiwo mugove wako, navanakomana vako wakatorwa pamupiro unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi, nokuti ndizvo zvandakaudzwa naMwari. Asi chityu chomupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi, nechidya chinenge chapirwa, iwe navana vako vakomana navasikana unogona zvako, kuzvidyira panzvimbo inoera, nokuti izvozvi zvakapiwa iwe navanakomana vako somugove wenyu, zvichibva pamipiro yokuwadzana yavaIsiraeri. Chidya chinopirwa Mwari, nechityu chemupiro unosimudzwa mudenga uchipirwa kuna Tenzi, ngavauye nazvo pamwechete nomupiro wamafuta unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi kuzopira mupiro unosimudzirwa kuna Tenzi. Ndozvinozova mugove wako pamwechete navanakomana vako, uchagara uripo narinhi wose sezvakarehwa naTenzi.” Mosesi akafeya-feya nezvembudzi yomupiro wokupfupira zvitadzo, wanei kuti yakanga yatopiswa kare, akabva ashatirirwa Ereaza naItamaru akati, “Seiko musina kudyira mupiro wokupfupira zvitadzo panzvimbo inoera? Inga iwoyu mupiro unoera kwazvo. Handiti makaupirwa kuti mubvise zvakaipa zvegungano irori muchizvipfupira pana Tenzi. Hamuonewo here kuti ropa rayo harina kunge raunzwa mukati munzvimbo inoera, mungadai matodyira munzvimbo inoera, sezvandakareva.” Aroni ndokuti kana Mosesi, “Inga nhasi uno chaiye vanhu vapira kuna Tenzi mupiro wavo wokupfupira zvitadzo nomupiro wavo wokupisa kunyange zvavo vadaro, hezvika izvi zvandiwira izvi. Zvino dai ndadya mupiro iwoyo wokupirira zvitadzo nhasi, ndopazvaizogamuchirwawo naTenzi here?” Mosesi akazvinzwa akagutsikana nazvo. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti kwavari, “Taurirai vaIsiraeri kuti, ‘Idzi ndidzo mhuka dzamungadye zvenyu pamhuka dzose dziri panyika.’ Mungadye zvenyu mhuka ine tsimba rakanyatsopararana, dzinenge dziri mhuka dzinozeya. Asi dzinongozeya chete kana dzinongova netsimba rakapararana chete musadzidye sengamera inozeya asi haina matsimba akapararana. Musadye nembirawo kunyange zvayo ichizeya haina tsimba rakapararana, yakan'ora kwamuri, netsuro, kunyange zvayo ichizeya haina tsimba rakapararana, yakan'ora kwamuri, nenguruve kunyange zvayo iine tsimba rakanyatsopararana haizeye, yakan'ora kwamuri. Musadye mhuka idzodzi kana kubata zvitunha zvadzo nokuti dzakan'ora kwamuri. “Pana zvose zvomumvura zvine zvimbi namakwande zvingave zvomugungwa kana murwizi mungadye zvenyu. Asi zvose zvisina zvimbi namakwande zvomugungwa nomurwizi zvose zvazvo zvinoita bvakanyira mumvura nezvipenyu zvose zviri mumvura musadye zvose izvozvo, zvakaipa kwazvo kwamuri. Kwamuri, zvakaipa kwazvo, musadye nyama yazvo kana kubata zvako zvitunha zvazvo. Zvose zvomumvura zvisina zvimbi namakwande zvakaipa kwazvo kwamuri. “Pashiri dzose, idzi ndidzo shiri dzakan'ora kwamuri, hadzifanire kudyiwa, dzakaipa kwazvo kwamuri, kunoti: gondo negora nechapungu nenjerere nakarukodzi nemhando dzako nemhando dzose dzemakunguo, jichidza, nemazizi neshiri yegungwa namarudzi ose oruvangu, kouya zizi nekondo, nejambwa nenhapata nesvorenyama nehungwe, neshuramurove nemhando dzose dzeshirichena nemhupupu nomuremwaremwa. Tupukanana twose tunobhururuka, tunogara turi gurusvusvu tuine makumbo mana twakan'ora kwamuri. Asi tunhu twose tunobhururuka tuine makumbo mana tune mamwe makumbo eshure okusvetukisa idyai zvenyu. Mungadye zvenyu mhando dzose dzehwiza, nemhando dzose dzemhashumapfunde nedzemakurwe nedzezvitaunhau. Asi tumwewo tupukanana twose tunenge tuchingova namakumbo mana chete twakan'ora kwamuri. “Zvinhu zvinon'oresa munhu ndeizvi: munhu anenge agunzva zvitunha zvazvo achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ani naani zvake anenge atakura kai zvako kechitunha chazvo ngaasuke hanzu dzake; achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Mhuka yose zvayo inenge iine tsimba rakapararana asi asina kubva anyatsopararana kana kuti isingazeyi yakan'ora kwamuri. Asi ani naani anobata chitunha chayo achava munhu akan'ora. Mhuka dzose dzina makumbo mana, dzina matsimba akapfava dzakan'ora kwamuri. Munhu anenge abata zvitunha zvadzo, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ani naani anotakura chitunha chadzo, anofanira kusuka hanzu dzake, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Izvozvo zvakan'ora kwamuri. “Utwu nditwo tupuka twakan'ora kwamuri pakati petupuka twose tunoita bvakanyira panyika, kunoti nhuta nembeva nomupurwa nemarudzi awo ose nechipotanemadziro, gwavava, nedzvinyu, chipfira nerwaivhi. Izvozvi zvakan'ora kwamuri pakati pezvose zvinoita bvakanyira. Ani zvake anenge abata zvitunha zvazvo, achava akan'ora kudzamara zuva ridoke. Kana chitunha chazvo chikaputsikira pane chinhu chipi nechipi zvacho, chinhu ichocho chaton'ora chingave chakaitwa mudziyo upi noupi wokuitisa basa. Ngachinyikwe mumvura, chichava chakan'ora kudzamara manheru chazova chachenurwa. Mumudziyo wevhu upi noupi zvawo machinenge chadonhera, zvose zvinenge zvirimo zvaton'ora, putsai mudziyo iwoyo. Zvokudya zvinenge zvadirwa mvura yabva mumudziyo iwoyo zvaton'ora chero chokunwa chinenge chirimo chaton'orawo. Chinhu chipi nechipi zvacho chinenge chinowirwa nekai zvako kechitunha chazvo chaton'ora, kunyange ikava hari kana choto ngachiputswe-putswe, chan'ora, ngachive chinhu chakan'ora kwamuri. Asi chitubu kana tsime rine mvura harin'ore, asi chipi nechipi zvacho chinobatana nechitunha chacho chichava chinhu chakan'ora. Kana kai zvako kechitunha chazvo kakadonhera pambeu dzokudyara dzipi nedzipi zvadzo dzinodyarwa hadzin'ore. Asi kana kai zvako kechitunha chazvo kakadonhera pambeu dzakaiswa mvura dzichava dzakan'ora. “Kana mhuka inodyiwa ikafa, ani naani anoibata chitunha chayo, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke, Munhu anodya nyama yayo, ngaasuke hanzu dzake, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Munhu anotakura chitunha chayo ngaasuke hanzu dzake, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke, tupuka twose tunomomana panyika twakaipa kwazvo, ngaturege kudyiwa. Zvose zvinozvova napasi, nezvose zvinofamba namakumbo mana kana zvina makumbo akawanda, zvose zvazvo zvinomomana panyika, musadye nokuti zvakaipa kwazvo. Musazviipise nezvinhu zvakawanda-wanda izvi zvinomomana. Musazvisvibise nazvo nokuti mungadaro mukazvin'oresa. Ndinodaro nokuti ini Tenzi, ndini Mwari wenyu zvisarudzei kuva vangu, muve vatsvene nokuti ini ndiri mutsvene. Musazvin'orese nezvipi nezvipi zvazvo zvakawanda-wanda zvinomomana panyika. Ndinodaro nokuti ndini Tenzi ndakakuuyisai kuno, kubva kunyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu. Saka ivai vatsvene nokuti ini ndiri mutsvene. “Iwoyu ndiwo mutemo wezvemhuka neshiri nezvose zvipenyu zvinofamba mumvura nezvose zvinoita gurusvusvu panyika, wokuti mugone kusiyanisa nawo zvakan'ora nezvisina kun'ora nokusiyanisawo zvinhu zvipenyu zvingadyiwe nezvinhu zvipenyu zvisingadyiwi.” Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Udza vaIsiraeri kuti, ‘Kana munhukadzi akabata pamuviri, akapona mwana mukomana, achava munhu akan'ora kwamazuva manomwe, sezvaanongoita kana ari panguva yake yokutevera achava akan'ora.’ Pazuva rorusere, mwana iyeyo ngaadzingiswe. Zvinotora makumi matatu emazuva ane mazuva matatu kuti makadzi iyeyo achenurwe pauzvere hwake. Ngaarege kubata chinhu chinoera kana kupinda mutendhe rinoera kusvikira mazuva okuchenurwa kwake apera. Kana mudzimai apona mwana womusikana achava munhu akan'ora kwamazuva gumi namana, sezvinoita mukadzi kana ari panguva yake yokutevera. Zvinotora makumi matanhatu emazuva ane mazuva matanhatu kuti mukadzi iyeyo achenurwe pauzvere hwake. “Kana mazuva okuchenurwa kwake apera mukadzi akapona mwana mukomana kana musikana, ngaaunze kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira hwayana ine gore rimwechete yomupiro wokupisa, naman'ana ehangaiwa kana njiva yemupiro wokupirira zvichitadzo. Mupristi ngaapire kuna Tenzi mupiro wokupfupira zvitadzo zvomukadzi iyeyo, achabva achenurwa pauzvere hwake. Iwoyu ndiwo mutemo wezvemukadzi anenge asununguka mwana mukomana kana musikana. Kana asingakwanisi kuwana hwayana, ngaauye nenjiva mbiri, kana man'ana ehangaiwa. Imwe ngaive yemupiro wokupisa, imwe yacho ive yomupiro wokupfupira zvitadzo. Ipapo mupristi ngaapire kuna Mwari mupiro wokupfupira zvitadzo zvomukadzi iyeyo, achabva achenurwa.” Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Kana paganda romunhu paine pakazvimba kana kuti paine pakatushuka kana kuti paine vara zvigozobvapo zvoita zvisasa pamuviri wake, ngaaunzwe kune mupristi wemhuri yekwaAroni. Mupristi ngaaongorore pakazvimba ipapo. Kana aona mvere dzakachenuruka chirwere chacho chakadzika kupfuura ganda rake, chirwere chamapere. Kana mupristi apedza kuongorora ganda romunhu iyeyo, ngaachimuti ava munhu akan'ora. Asi kana pakazvimba ipapo pakangochenuruka, pachingova muganda rake chete pasina kupinda munyama, uyewo mvere dzapo dzisina kuchenuruka, mupristi ngaise munhu iyeyo ane chirwere pake oga kwemazuva manomwe. Pazuva rechinomwe mupristi ngaamuongororezve, mumaonero ake kana akaona kuti chirwere chiya chichiripo hachinawo kupararira neganda rake, mupristi ngaaise murwere iyeyo pake oga kwemamwe mazuva manomwe. Pazuva rechinomwe mupristi ngaamuongorore zvakare. Kana paiva nechirwere pacho pasviba-sviba, chirwere chisina kupararira neganda, mupristi ngaachimuti wachenurwa, kwanga kuri kuzvimbawo zvako. Munhu iyeyo ngaasuke hanzu dzake ave munhu akachenurwa. Asi kana matuzu acho apararira neganda iye akambozvirakidza kumupristi kuti achenurwe, ngaazviratidze zvakare kumupristi. Mupristi ngaongororezve kana akaona kuti matuzu acho apararira neganda, ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora, chinenge chiri chirwere chamapere. “Kana munhu aine chirwere chamapere ngaaunzwe kumupristi, mupristi aongorore. Kana paganda rake paine pakazvimba pakachenuruka, uyewo mvere dzepo dzakachenuruka paine urwa, chinenge chiri chirwere chamapere chendambirira. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora. Ngaachirega zvake kumuisa pake oga achida kuzomuongorora nokuti atova munhu akan'ora. Kana chirwere chamapere ichocho chapararira neganda rake, muviri wake wose kubvira kumakumbo kusvika kumusoro, somuonero omupristi, mupristi ngaaongorore. Kana mupristi akaona kuti chirwere ichocho chezvisasa chapararira nomuviri wose ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akachenurwa pachirwere ichocho. Mapere acho ose anenge achena, saka ava munhu akachenurwa. Asi paanoonekwa aine ronda rakati nyechu, munhu iyeyo munhu akan'ora. Mupristi ngaaongorore ronda rakanyechuka iroro, ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora. Ronda rinenge ranyechuka rakan'ora nokuti chirwere chamapere. Asi kana ronda racho rikazosanduka zvakare, rochenuruka, ngaauye kumupristi. Mupristi ngaamuongorore, kana pane chirwere pacho pakachenuruka mupristi ngaataure pachena kuti murwere iyeyo achenurwa ava munhu akachenurwa. “Kana paganda romunhu pakamboita mota, rikapora zvaro, asi paiva nemota ipapo pakazochenuruka nokuzvimba, kana kuti pakava nevara rakatsvukuruka nokuchenuruka, izvozvo ngazviratidzwe kumupristi. Mupristi ngaaongorore. Kana akaona kuti rakadzika kupfuura ganda mvere dzepo dzachenuruka, mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora. Ichocho chirwere chamapere chinenge chanyuka nepamota. Asi kana mupristi akaongorora akaona mvere dzepo dzisina kuchenuruka, pasinawo kudzika kupfuura ganda pakangosvibasviba kuchenuruka, mupristi ngaamugarise kwake oga kwamazuva monomwe. Asi kana zvapararira neganda, mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora, chirwere ichocho. Asi kana zvikaramba zviri panzvimbo imwechete zvisingapararire zvinenge zviri vanga rakasiyiwa nemota chete. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akachenurwa. “Kana muviri une ronda rokutsva paganda kana ronda rokutsva iroro rikazova duzu rakachenuruka kana rakatsvukuruka, mupristi ngaariongorore. Kana mvere dzepo dzakachenuruka richiratidza kuti rakadzika kupfuura ganda chinenge chava chirwere chamapere chanyuka nomuronda routsva. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora chirwere chamapere ichocho. Asi kana mupristi akariongorora akaona mvere dzepo dzisina kuchenuruka pasina kudzika kupfuura ganda asi pakangosvibasviba, mupristi ngaamugarise pake onga kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe mupristi ngaadzokorore kumuongorora. Kana zvichipararira neganda, mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora; chirwere chamapere ichocho. Asi kana vara iroro rakachenuruka rikaramba riri panzvimbo imwechete risina kupararira neganda rakangozvibasviba, kunenge kuchingova zvako kuzviiba kwakasiyiwa neronda routsva. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo haana kun'ora nokuti rinongova vanga rakasiyiwa neronda rokutsva. “Kana munhurume kana munhukadzi aine chironda mumusoro kana pachirebvu, mupristi ngaaongorore chironda ichocho. Kana chichinge chakadzika kupfuura ganda, vhudzi repo rakachenuruka rakaserekana chisasa chacho chirwere chamapere, chomumusoro kana kuti chapachirebvu. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora. Kana mupristi akaongorora chisasa ichocho akaona kuti hachina kudzika kupfuura ganda vhudzi repo risina kuserekana, ngaamugarise pake oga kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe mupristi ngaadzokorore kuongorora chisasa ichocho. Kana akaona chisina kupararira, vhudzi repo risina kutsvukuruka, chisina kudzika kupfuura ganda, munhu iyeyo ngaazviveure kusiya riri pachisasa. Mupristi ngaamugarisezve kwake oga kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe mupristi ngaaongororezve chisasa chiya. Kana chichinge chisina kupararira, chisina kudzika kupfuura ganda ngaataure pachena kuti munhu iyeyo achenurwa. Munhu iyeyo ngaasuke hanzu dzake, achave munhu akachenurwa. Asi kana akambonzi haana kun'ora chisasa chiya chikazopararira neganda, mupristi ngaamuongororezve. Kana chisasa ichocho chapararira neganda, mupristi ngaarege zvake kuswerombotsvaka vhudzi rakatsvukuruka, munhu iyeyo akan'ora. Asi pakuona kwake kana chisasa chiya chisina kupararira, paine vhudzi dema rakamerapo anobva aziva kuti chisasa ichocho chakapora. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akachenurwa. “Ngatitii murume kana mukadzi ana mavara akachenuruka paganda romuviri wake, mupristi ngaaongorore. Kana mavara iwayo apaganda romuviri wake asina kunyatsochenuruka anongova mavara zvawo anenge anyuka paganda. Munhu iyeyo haana kun'ora. “Kana vhudzi romunhu richipera kudonha mumusoro wake ava nemhanza asi haana kun'ora. Kana vhudzi romunhu rikapera kudonha nechepahuma kana pamapfeka, munhu iyeyo anongova nemhanza chete, haana kun'ora. Asi kana pamhanza iyoyo kana pamapfeka pakaita kavara kakatsvukuruka nokuchenuruka chirwere chamapere chiri kutangisa pamhanza yake kana kuti pamapfeka. Mupristi ngaamuongorore kana akaona pakazvimba paine vara rakatsvukuruka nokuchenuruka pamhanza yake kana pamapfeka zvinenge zvakaita sechirwere chamapere paganda romuviri womunhu, munhu iyeyo anenge ava nechirwere chamapere, ava munhu akan'ora. Mupristi ngaanyatsotaura pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora, chirwere chacho chiri mumusoro wake. “Munhu ane chirwere chamapere ngaapfeke marengenya, arege vhudzi rake rakaita jakuchichi, afukidze chirebvu chake adaidzire achiti, ‘Ndakan'ora! Ndakan'ora!’ Achagara ari munhu akan'ora panguva yose yaanenge aine chirwere ichocho. Munhu akan'ora kwaanogara ngaagare ari oga, kwaanogara kunze kwematendhe. “Kana pahanzu yomunhu paine mavara echiundudzi ingave hanzu yewuru kana yerineni, kana pajira rakarukwa nerineni kana newuru kana padehwe, kana pachinhu chipi zvacho chakagadzirwa nedehwe, kana mavara acho akasvibira kana kutsvukuruka achioneka pahanzu yakarukwa nerineni kana newuru, kana kutsvukuruka, chiundudzi. Mupristi ngaaratidzwe mavara iwayo. Mupristi ngaaongorore chiundudzi ichocho agoisa chinhu ichocho chine chiundudzi pacho choga kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe ngaadzokorore kuongorora chiundudzi chiya. Kana mavara echiundudzi chiya apararira nehanzu yakarukwa nerineni kana newuru kana yedehwe kunyange richishandiswa basa rei zvaro, chiundudzi chendambirira chakan'ora. Mupristi ngaapise hanzu iyoyo yakarukwa yewuru kana yejira nerineni kana chinhu chakagadzirwa nedehwe nokuti chine chiundudzi chakaipisisa kwazvo chinopararira. Ngachipiswe nomoto. “Asi kana mupristi akaiongorora akaona kuti chiundudzi chiya hachina kupararira nehanzu iya yakarukwa nerineni kana newuru kana chii zvacho chedehwe mupristi ngaati hanzu iyoyo isukwe imboiswa payo yoga kwamamwe mazuva manomwe. Mupristi ngaaongorore hanzu iya yakambosukwa. Kana akaona chiundudzi chacho chisina kupararira, uye ruvara rwacho rusina kusanduka, hanzu iyoyo yakan'ora. Kunyange chiundudzi chacho chiri nechemberi kana seri kwehanzu iyoyo ngaipiswe nomoto. “Asi kana mupristi paanochiongorora, akaona chiundudzi ichocho chakambosukwa chabhuruvara ngaabvarure abvise panga paine chiundudzi, pahanzu yakarukwa nerineni kana newuru, kana padehwe. Asi kana chiundudzi ichocho chikamukirira pahanzu iyoyo, yakarukwa kana yedehwe chichipararira nehanzu iyoyo ipisei nomoto. Asi hanzu iyoyo yakarukwa nerineni kana newuru kana chimwe chinhu zvacho chedehwe chamuchasuka chichisara chisisina chiundudzi ngachisukwe rwechipiri chichava chisina kun'ora. “Uyu ndiwoyu murao wezvechiundudzi chinenge chava pahanzu yakarukwa yewuru kana yerineni, kana pane chii zvacho chakagadzirwa nedehwe kuti pagoonekwa kana chiri chakan'ora kana chisina kun'ora.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Uyu ndiwo murao wemunhu ane chirwere chamapere pazuva raanochenurwa, ngaaunzwe kumupristi. Mupristi ngaaende naye kunze kwematendhe amuongorore kana chirwere chamapere chiya chapora, mupristi ngaati paunzwe shiri mbiri dzisina kun'ora nechimuti chomusidhari netambo tsvuku nekabazi komuhisopi. Mupristi ngaati shiri imwe iurayirwe nechapamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena. Ngaatore shiri mhenyu pamwechete nechimuti chomusidhari netambo tsvuku nekabazi komuhisopi azvinyike pamwechete muropa reshiri iya yaurayirwa pamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena. Mupristi ngaasase ropa iroro kanomwe pamunhu uya anenge achenurwa pachirwere chamapere. Mupristi ngaataure pachena kuti haachisina kun'ora. Ipapo ngaabhururutse shiri mhenyu iya itetereke zvayo nesango. Nyakuchenurwa iyeyo ngaasuke hanzu dzake aveure vhudzi nemvere dzomuviri wose ashambe nemvura. Saka achava munhu akachenurwa. Angachizodzokera hake kumatendhe asi anofanira kugara kunze kwetendhe rake kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe ngaaveurezve musoro wake nendebvu netsiye nevhudzi rose romuviri wake. Ngaasuke hanzu dzake nomuviri wake, ipapo achava munhu achenurwa. “Pazuva rorusere ngaaunze hwayana, hono mbiri nedunzvi rehwai dzisina chinoshoreka padziri dzine gore rimwechete namakirogiramu matatu eupfu hwakanywa namafuta eorivhi uye mafuta eorivhi anokwana chikamu chepakati nepakati cherita. Mupristi iyeyo ari kuchenura munhu ngaaise munhu iyeyo nezvinhu izvi pana Tenzi pamusuo wetendhe rokusanganira. Mupristi ngaatore hwayana hono pamwechete namafuta anokwana chikamu chepakati nepakati cherita apire Mwari mupiro wokutsiva chakatadzwa. Ngaaite mupiro unosumudzwa uchipirwa Mwari. Ngaaurayire hwayana iyoyo panzvimbo paya panourayirwa zvibayiro zvomupiro wokupfupira zvitadzo nomupiro wokupisa panzvimbo inoera. Chibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo ndechomupristi sezvakangoitawo chibayiro chomupiro wokuripa mhosva. Chinoera kwazvo. Mupristi ngaatore ropa rehwayana yomupiro wokuripa mhosva arizore kwokupedzesera kwenzeve yokurudyi yomunhu ari kuchenurwa nepachara chechanza chake chokurudyi nepachigunwe chake chikuru chetsoka yake yokurudyi. Mupristi ngaadururire mafuta eorivhi muchanza chake iye pachake choruboshwe. Ngaanyike munwe wake wokurudyi mumafuta iwayo ari muchanza chake choruboshwe, aasase kanomwe mutendhe rinoera pana Tenzi. Mafuta anenge asara ari muchanza chomupristi ngaazore kuwedzera paropa romupiro wokuripa mhosva kwokupedzesera kwenzeve yokurudyi yomunhu ari kuchenurwa nepachigunwe chake chokurudyi. Mafuta ose anenge asara ari muchanza chake ngaadire pamusoro pemunhu ari kuchenurwa. Mupristi anobva apfupira zvitadzo zvaiyeyo pana Tenzi, zvomunhu akanga aine chirwere chamapere. “Mupristi ngaaite mupiro wokupfupira zvitadzo, achiripira munhu ari kuchenurwa pakun'ora kwake. Kana aita izvozvo, ngaauraye chibayiro chemupiro wokupisa. Mupristi ngaapire mupiro wokupisa nomupiro wembesanwa paatari. Nokudaro mupristi achamuripira, munhu iyeyo anobva achenurwa. “Kana munhu iyeyo ari murombo asingakwanisi kuwana izvi zvose ngaaunze hwayana hono imwechete yomupiro wake wokuripa mhosva unosimudzirwa uchipirwa Mwari wokumuripira. Ngaaunzewo upfu hwemupiro wembesanwa hunorema kirogiramu rimwechete hwakakanywa nemafuta eorivhi pamwechete nechikamu chepakati nepakati cherita remafuta eorivhi. Ngaaunzewo njiva mbiri kana man'ana maviri ehangaiwa dzaangakwanise kuwana yomupiro wokupfupira zvitadzo neyomupiro wokupisa. Pazuva rorusere ngaauye nadzo kumupristi kuti ichenurwe kumusuo wetendhe rokusanganira. Mupristi ngaatore hwayana yomupiro wokuripa mhosva nechikamu chepakati nepakati perita ramafuta eorivhi aite mupiro unosimudzirwa uchipirwa Tenzi. Ngaauraye hwayana yomupiro wokuripa mhosva, atore ropa rayo arizore kwokupedzesera kwenzeve yokurudyi yomunhu ari kuchenurwa nepachara chake chokurudyi napachigunwe chake chikuru chokurudyi. Mupristi ngaadururire mafuta muchanza chake iye pachake chokuruboshwe, Mupristi ngaanyike munwe wake worudyi mumafuta ari muchanza chake choruboshwe aasase kanomwe pana Mwari ipapo mutendhe rinoera. Mupristi ngaazorewo mafuta paya paazora ropa, romupiro wokuripa mhosva kwokupedzesera kwenzeve yomunhu ari kuchenurwa yokurudyi nepachara chake chokurudyi napachigunwe chake chikuru chokurudyi. Mafuta ose anenge asara muchanza chomupristi ngaadire pamusoro womunhu ari kuchenurwa achimuripira pana Tenzi. Mupristi ngaapire njiva kana hangaiwa dzichiri duku, dzaangakwanise kuwana, imwe ive yomupiro wokupfupira zvitadzo, imwe ive yomupiro wokupisa pamwechete noupfu hwemupiro wembesanwa. Nokudaro mupristi achapira mupiro wokuripira pana Tenzi wokuitira munhu ari kuchenurwa. Uyu ndiwo murao womunhu anenge aine chirwere chamapere asi asingakwanisi kuwana chokuti achenurwe nacho.” Tenzi akataurira Mosesi naAroni kuti, “Kana masvika munyika yeKanani yandiri kukupai kuti ive yenyu, ndikaita kuti imba yomunhu ive nechiundudzi chechirwere munyika yenyu imomo, muridzi wayo ngaauye kumupristi amutaurire kuti, ‘Ndiri kuona zvinenge chiundudzi chechirwere mumba mangu.’ Mupristi ngaati zvose zviri muimba yacho zviburitswe panze asati apindamo kundoongorora chiundudzi chacho nokuti akasadaro zvose zvirimo zvingazonzi zvakan'ora. Mushure maizvozvo mupristi ngaapindemo kundoongorora imba iyoyo. Ngaaongorore chiundudzi chacho, kana akaona chisiri pamusoro chete, chakapinda mukati memadziro, chiine ruvara rwamashizha kana kuti rwakatsvukuruka, mupristi ngaabude mumba imomo aipfige igare yakapfigwa kudaro kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe mupristi ngaadzokere kuimba iya kundoiongororazve. Kana akaona chiundudzi chapararira madziro emba iyoyo, mupristi ngaati vabvise mabwe ane chiundudzi andokandwa kunze kweguta kunorasirwa marara. “Mupristi ngaati madziro ose omukati memba iyoyo aparwe. Zvakwakwanuka zvacho ngazvindorasirwa kunze kweguta kunorasirwa marara. Ngavatore mamwe mabwe vaaise pakabviswa mabwe aye, vadzurure madziro iwayo patsva. “Kana chiundudzi ichocho chikadzokazve mumba muya makambobviswa mabwe mukaparwa mukadzururwa patsva, mupristi ngaandoiona. Kana mavara echiundudzi ichocho apararira, nemba iyoyo, chinenge chiri chiundudzi chechirwere chinoparadza, imba iyoyo yaton'ora. Ngaapaze imba iyoyo. Mabwe ayo namapango ayo nevhu rayo ngazvitakurwe zviendwe nazvo kunze kweguta kunorasirwa marara. Ani naani anopinda mumba iyo panguva yainombonzi igare yakapfigwa achava akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ani naani anorara mumba imomo uye ani naani anodyiramo ngaasuke hanzu dzake. “Asi kana mupristi akauya kuzoongorora akaona chiundudzi chisina kupararira nemba iya ngaataure pachena kuti haina kun'ora nokuti chiundudzi chose chinenge chapera. Mupristi ngaatore man'ana maviri nechimuti chemusidhari netambo tsvuku nakabazi kemuhisopu zvokundochenurisa imba iyoyo. Ngaaurayire shiri imwe pamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena. Ngaatore chimuti chomusidhari nekabazi komuhisopi netambo tsvuku pamwechete neshiri mhenyu azvinyike muropa reshiri yauraiwa mumvura yakanaka yakachena arisase kanomwe mumadziro emba iya. Nokudaro achachenura imba iyoyo neropa reshiri iya, nemvura iya yakanaka yakachena, neshiri mhenyu nechimuti chemusidhari nakabazi kemuhisopi netambo tsvuku. Ngaaende kunze kweguta aibhururutse itetereke zvayo nesango. Ndiko kuchenura kwaachaita imba iyoyo, ichibva yava isina kun'ora. “Iwoyu ndiwo murao wechirwere chamapere chingave chezvisasa kana chiundudzi chepahanzu kana chomumba kana chokuzvimba kana chamatuzu, kana chevara. Murao iwoyo unobatsira kuziva kuti chinhu ichi chakan'ora here kana kuti kwete. Uyu ndiwo murao wechirwere chamapere.” Mwari akataurira Mosesi naAroni achiti, “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana munhurume anezvinobuda maari kubuda kwazvo ikoko kwakan'ora.’ Uyu ndiwo mutemo pamusoro pokun'ora kunokonzerwa nokuzvirotera: kunyange zvinobuda izvozvo zvichibuda kamwechete kana kuramba zvichibuda, zvose zvinongomun'oresa. Uvato hwose hunovatwa nomunhu anobudisa izvozvo hunon'ora. Chinhu chose chaanogara chinobva chan'ora. Ani naani anobata uvato hwake anobva an'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaatogeza zvipfeko zvake nomuviri wake. Ani naani anogara pambogarwa nomunhu ane zviri kubuda maari, atova munhu akan'ora. Achaswera zuva rose ari munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake. Achava munhu akan'ora kusvikira manheru. Ani naani anobata muviri womunhu ane zvinobuda maari izvozvo anofanira kusuka hanzu dzake ashambe nemvura achava munhu akan'ora kusvikira manheru. Kana munhurume uya ane zviri kubuda maari akapfira mate pamunhu asina kun'ora, apfirwa mate wacho atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Chityaro chose chose zvacho chinenge changogarwa nomunhurume ane zviri kubuda maari chaton'ora. Ani naani anobata chinenge chambogarwa nomunhu iyeyo atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Anenge atakura chinhu chakadaro, ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake nemvura. Achava munhu akan'ora kusvikira manheru. Kana munhu abatwa nomurume ane zviri kubuda maari asina kushamba maoko nemvura ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri wake nemvura achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Hari yevhu inenge yabatwa nomunhu ane zviri kubuda maari ngaipwanywe, kana uri upi zvawo mudziyo womuti ngausukwe nemvura. “Kana munhurume uya ane zvanga zvichibuda maari zvamira kubuda, ngaagare mazuva manomwe okuchenurwa. Ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri wake mumvura yakanaka yakachena achava munhu akachenurwa. Pazuva rorusere ngaatore njiva mbiri kana hangaiwa mbiri dzichiri duku aende nadzo kuna Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira adzipe mupristi. Mupristi ngaadzipire kuna Tenzi, imwe ive yomupiro wokupfupira zvitadzo, imwe yacho ive yomupiro wokupisa. Naizvozvo mupristi anobva achenura pana Tenzi munhurume uya anenge ane zviri kubuda maari. “Kana munhurume akaburitsa mbeu dzomuviri wake, atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri wake. Kana mbeu yake ikadonhera pachinhu chipi nechipi zvacho, chingave jira kana dehwe ngachigezwe. Chichava chakan'ora kusvikira zuva ridoke. Kana murume akarara nomukadzi, akaburitsa mbeu dzomuviri wake vose vari vaviri ngavashambe miviri yavo vachava vanhu vakan'ora kusvikira zuva ridoke. “Kana mukadzi ari panguva yake yokutevera kuri kutevera samazuva ose achava munhu akan'ora kwamazuva manomwe. Ani naani anomugunzwa achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Chinhu chipi nechipi zvacho chaanovata kana chaanogara panguva yaanenge akan'ora chichava chakan'ora. Ani naani anobata uvato hwake ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake. Achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ani zvake anobata chii zvacho chaanogara ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake nemvura. Achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Chingava chaanovata kana chii zvacho chaanogara kana munhu akangochibata chete atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Kana munhurume akavata nomukadzi iyeyo akatapukirwa nezvinomun'oresa achapedza mazuva manomwe ari munhu akan'ora. Chii zvacho chaanovatawo chinon'orawo. “Kana akaramba achibuda ropa kwamazuva mazhinji isiri nguva yake yokutevera kana kuramba achibuda ropa nguva yake yokutevera yapfuura, achava munhu akan'ora nguva yose yaanenge achibuda ropa. Akangon'ora sezvaanoita ari panguva yake yokutevera. Uvato upi noupi zvahwo hwaanovata mazuva ake ose okutevera uye chigaro chose chose zvacho chaanogara chichava chakan'ora sezvazvinongoita panguva yake yokutevera. Ani naani anobata zvinhu izvozvo anon'ora, achava munhu akan'ora ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri wake nemvura. Achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Kana ropa rake ramira kubuda ngaambogara kwamazuva manomwe, kana mazuva iwayo apera, achava munhu akachenurwa. Pazuva rorusere ngaatore njiva mbiri kana hangaiwa mbiri dzichiri duku aende nadzo kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira. Mupristi ngaapire imwe ive yomupiro wokupfupira zvitadzo, imwe yacho ive yomupiro wokupisa. Nokudaro mupristi anobva achenura pana Tenzi mukadzi iyeyo pakutevera kwake kunenge kuchimun'oresa. “Ndiko kutsauranisa kwauchaita vanenge van'ora nevanenge vasina pakati pavaIsiraeri, kuti varege kufa pamusana pokun'ora kwavanenge vanako, vachin'oresa tendhe rinoera riri pakati pavo. “Iwoyu ndiwo murao unosunga murume anozvirotera neanoburitsa mbeu yomuviri wake achizvin'oresa, ndiwo unosungawo mukadzi ari kurwara panguva yake yokutevera angave munhurume kana munhukadzi anezvinobuda maari nomurumewo anovata nomukadzi akan'ora.” Tenzi akataura kuna Mosesi shure kwokufa kwavanakomana vaviri vaAroni pavakapira kuna Tenzi vakafa. Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza mukoma wako Aroni kuti arege kuita chipindepinde munzvimbo inoera kuseri kwejira rokudzikatirisa achisebera pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, angadaro akafa nokuti ini ndichazviratidza ndiri mugore nechapamusoro pehwibidiro iyoyo. Kana Aroni apinda munzvimbo inoera, ngauye nehandira ichiri duku yomupiro wokupfupira zvitadzo nehondohwe yomupiro wokupisa. Ngaauye akapfeka hanzu yerineni inoera inenge yoda kusvika mumabvi, nebhurukwa rerineni, akasunga mudya werineni akapfeka ngundu yerineni, ndohanzu dzinoera. Ngaatange ashamba muviri wake nemvura, agozoti odzipfeka. Aroni ngaapiwe negungano ravaIsiraeri makotora embudzi maviri omupiro wokupfupira zvitadzo pamwechete nehondohwe yomupiro wokupisa. “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaatore mbudzi mbiri dziya aende nadzo kumusuo wetendhe rokusanganira, adzimise pana Tenzi. Aroni ngaaitire mbudzi dziya mbiri chin'ange, imwe ive yaTenzi imwe ive yaAzazeri yokurasirira. Aroni ngaauye nembudzi inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyaTenzi, aiite mupiro wokupfupira zvitadzo. Asi mbudzi iya inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyokurasirira ngaiuyiwe nayo pana Tenzi iri mhenyu ive yokuripira nayo zvitadzo kuti indorasirirwa kurenje kuna Azazeri. “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaauraye handira ive yomupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake. Ngaatore kabisiro kazere mazimbe omoto unobva paatari iri pana Tenzi, nezvanza zviviri zvizere zvorusenzi runonhuhwirira rwakadzvurwa, auye nako apinde kuseri kwejira rokudzikatirisa. Ngaaise rusenzi mumoto uri pana Tenzi kuitira kuti bwititi routsi hworusenzi riputire hwidibiro iyi yebhokisi rechitenderano, arege kufa. Ngaatore rimwe ropa rehandira iya, arisase nomunwe wake pamberi pehwidibiro kumabvazuva, arisasewo pamberi pehwidibiro iyoyo kanomwe. “Ngaachiuraya mbudzi yemupiro wokupfupira zvitadzo zvavanhu, aunze ropa rayo munzvimbo inoera, arisase pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, arisasewo pasi pamberi paro sezvaanenge aita zviya neropa rehandira. Nokudaro achachenura nzvimbo inoera pamusana pokun'ora kwavaIsiraeri, uye nokuda kwezvikanganiso zvavo, nezvitadzo zvavo zvose. Ngaaite zvimwechetezvo kutendhe rokusanganira riri pakati pavo; mukati mokun'ora kwavo. Hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Kubvira nguva inopinda Aroni munzvimbo inoera kundoripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemhuri yake nezvegungano rose ravaIsiraeri kusvikira nguva yaanobudamo, hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Ngaabude imomo andopira Tenzi mupiro wokupisa paatari ichenurwe. Ngaatore ropa rehandira iya pamwechete neropa rembudzi iya arizore pane zvose zvinenge nyanga zviri paatari. Nomunwe wake, ngaasase ropa kanomwe pamusoro payo, aichenure pakun'oreswa kwayakaitwa navaIsiraeri. “Kana Aroni apedza kuchenura nzvimbo inoera netendhe rokusanganira neatari ngaapire, mbudzi mhenyu iya. Aroni ngaaise maoko ake ose ari maviri pamusoro wayo areurure pairi uipi hwose hwavaIsiraeri, noumhandupandu hwavo hwose nezvitadzo zvavo zvose, aise zvose pamusoro payo. Ngaaise mumaoko omumwe munhu anenge asarudzwa andoirasirira mugwenga. Mbudzi iyoyo ichatakura uipi hwavo hwose. Munhu uya achandoirasirira kugwenga. “Aroni ngaapinde mutendhe rokusanganira abvise hanzu dzerineni dzaanga akapfeka paya paambopinda munzvimbo inoera adzisiye dziri imomo. Ngaashambe muviri ari panzvimbo inoera apfeke hanzu dzake dzamazuva ose, ozobuda imomo ondopira mupiro wake iye wokupisa, nokuitira vanhu mupiro wavowo wokupisa aripire zvitadzo zvake iye pachake nezvavanhu. Ngaapise mafuta echibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo paatari. Munhu uya anenge andorasirira mbudzi kugwenga ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri, ozoti odzokera kumatendhe. Handira iya nembudzi iya dzomupiro wokupfupira zvitadzo dzine ropa rinenge rakaunzwa munzvimbo inoera kuti riripire zvitadzo, ngadziendwe nadzo kunze kwematendhe. Matehwe adzo nenyama, yadzo nechinzvinzvi chadzo, ngazvipiswe nomoto. Munhu anondopisa zvinhu izvozvo ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri, nemvura ozodzokera zvake kumatendhe. “Kwamuri imi murao uyu, murao uchagara uripo narini wose wokuti mumwedzi wechinomwe pazuva regumi romwedzi munofanira kuzvirwadzisa musaite basa imi kana vatorwa vamugere navo. Ndinodaro nokuti pazuva irori ndipo panoripirwa zvitadzo zvenyu kuti muchenurwe kuzvitadzo zvenyu zvose, munobva macheneswa pana Tenzi. Sabata, zuva rokuzorora, munofanira kuzvirwadzisa. Uyu murao uchagara uripo narini wose. Mupristi anenge azodzwa akagadzwa kuva mupristi panzvimbo yababa vake, ndiye acharipira akapfeka hanzu dzerineni dzinoera. Ndiye achachenura nzvimbo inoera netendhe rokusanganira neatari, nokuripira zvitadzo zvevapristi nezvegungano. Murao iwoyu uchagara uripo narini wokuti zvitadzo zvose zvevaIsiraeri zvinofanira kuripirwa kamwechete pagore.” Naizvozvo Mosesi akaita sezvaakaudzwa naTenzi. Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira Aroni navanakomana vake navaIsiraeri vose uti, ‘Izvi ndizvo zvakatemwa naTenzi zvokuti: muIsiraeri upi noupi zvake kana akabaya mombe kana hwai kana mbudzi pamatendhe kana kunze kwenharaunda yematendhe iyoyo, asingachiunze kumusuo wetendhe rokusanganira kuzochipira kuna Tenzi pamberi petendhe raTenzi munhu iyeyo imhondi, ane mhosva yakudeura ropa naizvozvo atozvicheka ukama nevokwake. Chakaisirwa mutemo uyu ndechokuti vaIsiraeri vose vagounza kuna Tenzi zvibayiro zvavo zvavari kungoitira zvavo kwose kwose, vazviunze kuna Tenzi kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira vazviuraye sezvibayiro zvemipiro yokuwadzana yokupira kuna Tenzi. Mupristi ngaasase ropa pamativi ose eatari yaTenzi iri kumusuo wetendhe rokusanganira. Ngaapise mafuta paatari kuti anhuwirire zvinofadza Tenzi. Saka havafanire kuramba vachipira zvibayiro kuna Mwari zvakaita sembudzi zvavari kuteveredza vachiita senzenza. Murao iwoyu uchagara uripo narini pazvizvarwa zvavo zvose.’ “Vaudze kuti munhu wose wemba yaIsiraeri kana nomutorwawo wose ari mukati mavo anopira mupiro kana chibayiro asingauye nacho kumusuo wetendhe rokusanganira kuzochipira kuna Tenzi munhu iyeyo atochekwa ukama nevokwake. “MuIsiraeri wose kana mutorwa upi zvake agere pakati pavo anodya ropa, ndichaonana nomunhu iyeyo anodya ropa ndichamuchekanisa ukama nevokwake. Ndinodaro nokuti muropa rezvipenyu zvose ndimo mune upenyu hwazvo. Ndakaripa kwamuri kuti murishandise paatari kupfupira zvitadzo zvenyu. Ropa ndiro rinoripira zvitadzo pamusana poupenyu huri mariri. Ndokusaka ndakataurira vaIsiraeri kuti hapana munhu pakati penyu anofanira kudya ropa kunyange mutorwa agere nemi haafaniri kudya ropa. “MuIsiraeri wose nomutorwawo upi noupi zvake agere navo anoenda kundovhima mhuka kana shiri inodyiwa anofanira kusinza ropa rayo arifusire nevhu. Chandinodariro ndechokuti muropa rezvipenyu zvose zvazvo ndimo mune upenyu hwazvo. Ndokusaka ndichiudza vaIsiraeri kuti, ‘Musambodya zvenyu ropa rechinhu chipi nechipi zvacho, nokuti muropa rezvipenyu zvose ndimo mune upenyu hwazvo. Ani naani anoridya ngaachekaniswe ukama naye.’ “Munhu wose zvake angave chizvarwa chomuno muIsiraeri kana mutorwa anodya nyama yakafa yoga kana yakaita zvokurumwa nezvikara atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri, achava munhu asisina kun'ora. Asi kana akarega kudzisuka kana kushamba muviri, ane mhosva.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti, ‘Ini Tenzi ndini Mwari wavo. Musatevedzere tsika dzinoitwa navanhu vokuIjipiti kwamaigara kunyange kutevedzera tsika dzinoitwa navanhu vokuKanani kwandiri kukuendesai. Musatevedzere maitiro avo. Munofanira kuchengeta mitemo yangu nokuteerera mirao yangu, ive gwara renyu ramunofamba naro, Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Saka chengetai mirao yangu nemitemo yangu nokuti munhu anoichengeta, inomupa upenyu, ndini Tenzi.’ “Hakuna munhu anobvumirwa kutorana nehama yepedyo achiifukura, ndini Tenzi. Usazvidze baba wako uchitorana naamai vako, ndaamai, usatadze navo. Usatorane nomukadzi wababa wako, kuzvidza baba ikoko. Usatorane nahanzvadzi yako, angave mwana wababa wako nomumwe mukadzi kana mwana wamai vako nomwe murume, kunyange yakazvarirwa mumusha menyu kana kuti yakaberekerwa kumwewo. Usatorane nomuzukuru wako angave mwana womwanakomana wako kana mwana womwanasikana wako kutozvifumura ikoko. Usatorane nomwana akaberekwa nababa wako nomumwe mukadzi, ihanzvadzi yako. Usatorane navatete vako, ihama yababa vako yomumba chaiyo. Usatorane nomukoma kana munun'una waamai vako nokuti ihama yaamai vako yomumba chaiyo. Usatorane nomudzimai womukoma kana wemunun'una wababa vako kuzvidza babamudiki kana kuti babamukuru wako ndimaiguru kana mainini vako. Usatorane nomuroora wako, mudzimai womwana wako saka usatorane naye. Usatorane nomudzimai wemukoma kana munun'una wako kuzvidza mukoma kana munun'una wako. Usatorane nomukadzi pedzepo wozotoranazve nemwanamusikana wake, kana kutorona nemwana womwanakomana wake kana nemwana womwanasikana wake. Vane ukama newe zvakaipa izvozvo. Kana mudzimai wako achiri mupenyu usatorane nomukoma kana munun'una wake chero mukadzi wako achiri mupenyu. “Rega kutorana nomukadzi panguva yake yokutevera. Usatorane nomudzimai wemumwe wako uchizvin'oresa naye. Usape mwana wako kuti apisirwe Moreki mumoto uchiipisa zita raMwari wenyu, ndini Tenzi. Rega kutorana nomumwe munhu wechirume sokutorana kwaungaite nomukadzi, chinhu chinosemesa kwazvo. Murume ngaarege kuita chakaipa nemhuka achizvin'oresa nazvo. Mukadziwo ngaarege kuita chakaipa nemhuka, ndokurasika chaikoiko. “Usazvin'orese nezviito zvakadaro nokuti ndudzi dzavanhu vomunyika yamuchandogara dzandichadzinga dzakazvin'oresa nezviito izvozvo. Nyika yavo yakan'oreswa nezviito zvavo saka ndakairanga pamusana pouipi hwayo, nyika iyoyo ikaita zvokurutsa vanhu vemo. Asi imi mose zvizvarwa zvemo navatorwa vagere nemi, chengetai mitemo nemirao yangu, murege kuita chii zvacho chakaipa chikadai. Ndinodaro nokuti vanhu vakanga varimo, imi musati mavemo vakaita zvinhu zvakaipisisa izvozvi vakan'oresa nyika iyoyo. Kana imi mukan'oresa nyika, ingadaro ikakurutsai somurutsiro wayakaita vanhu vaimbogaramo imi musati mavemo. Ani naani anoita tsika dzakaipa dzikadai achachekwa ukama nevokwake. “Naizvozvo, chengetai zvandinoreva musambofa zvenyu makaita tsika idzodzi dzakaipa dzikadaro dzaiitwa navanhu vaigaramo imi musati mavemo. Musambozvin'oresa netsika idzodzo. Ini Tenzi, ndini Mwari wenyu.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza vaIsiraeri kuti, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Tenzi, Mwari wenyu ndiri mutsvene. Mumwe nomumwe wenyu ngaaremekedze amai vake nababa vake, achengete maSabata angu. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu.’ “Musapindukire kuzvifananidzo. Musagadzire vamwari vokuumba noutare. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. “Kana mopira chibayiro chemipiro yokuwadzana kuna Tenzi chipirei nomutoo unoita kuti chive chinogamuchirwa. Ngachidyiwe musi wakarewo wachinenge chapirwa, kana mangwana acho. Zvose zvinenge zvasara zvichiripo kusvikira pazuva retatu ngazvipiswe nomoto. Kana chikazodyiwa pazuva retatu kunenge kwava kuita chinhu chakaipa kwazvo, hachizogamuchirwa. Ani naani anochidya imhosva yake nokuti anenge an'oresa chinhu chaTenzi chinoera, munhu iyeyo ngaachekwe ukama nevokwake. “Kana mokohwa minda yenyu regai kukohwa kusvikira kumichetocheto, kana kufuhwa muchitora mbesanwa dzinosaririra muminda yenyu pakukohwa. Musabva mafuhwiridza munda wamagirepisi kana kubva manhongerera magirepesi anenge adonhera pasi. Ngazvisiyirwe varombo navatorwa. Ini Tenzi Mwari wenyu ndini ndinodaro. “Musabe kana kunyengedzana kana kureva nhema. Musapike nhema nezita rangu muchiipisa zita raMwari wenyu, ndini Tenzi ndinodaro. “Musabate mumwe wenyu zvakaipa kana kupamba zvinhu zvake. Regai kurara muine mubayiro womushandi usiku hwose kusvikira mangwanani. Musati kune matsi dai ukawana chinokuwana. Usaisire bofu chinhu chokuripingirisha, unofanira kutya Mwari wako, ndini Tenzi ndinodaro. “Pakutonga mhosva tonga usingatsaudzire, usinganyari murombo kana kuremekedza mupfumi, asi unofanira kutonga mhosva nomazvo. Usafambe-fambe uchiita makuhwa pakati pevekwako. Usapupurire mumwe zvenhema kuti aurayiwe, ndini Tenzi ndinodaro. Usaite daka uchivenga hama yako mumwoyo mako, asi gara pasi unyatsotaurirana naye urege kuita chitadzo pamusana pake. Usatsive kana kuita daka uchivenga vamwe vako. Asi ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako, ndini Tenzi ndinodaro. “Chengetai mirao yangu. Zvipfuwo zvenyu ngazvirege kuberekeswa nerumwe rudzi rwezvipfuwo. Musadyare mhando mbiri dzembeu mumunda mumwechete. Musapfeke chipfeko chakagadzirwa pachisanganisirwa machira emhando mbiri. “Kana murume akaita chakaipa nomuranda wechikadzi iye achangobva mukuroorwa nomumwe murume, asi asati abvisirwa mari yokumutenga kana kumusunungura muuranda, ngavapiwe chirango, asi ngaarege kuurayiwa nokuti mukadzi iyeyo anga achiri muranda. Murume iyeyo ngaaunze hondohwe yomupiro wake wokuripa mhosva yake kuna Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira, hondohwe yokubvuma mhosva. Nehondohwe iyoyo yomupiro wokuripa mhosva mupristi ngaaripire kuna Tenzi chitadzo chomunhu iyeyo chaakaita. Chitadzo chaakaita chinobva charegererwa. “Kana mazosvika kunyika iyoyo mukasima miti yemichero inodyiwa michero iyoyo ichava inorambidzwa kwamuri, hamubvumirwe kuidya kwemakore matatu, ngairege kudyiwa. Michero yose yainobereka mugore rechina inenge yava michero inoera inenge yava yomupiro wokurumbidza nawo Tenzi. Asi mugore rechishanu mungadye zvenyu michero yayo. Izvozvi zvose zvinoitirwa kuti michero yenyu iwe. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro. “Musadye nyama isina kusinzwa. Musaite un'anga hwokududzira mashura kana kubvunza anosvikirwa. Musachekerere vhudzi renyu reparushaya kana kugera mativi endebvu dzenyu. Kana mafirwa, musazvichekechekere kana kuzvitaratadzira miviri yenyu izvozvo. Ndini Tenzi ndinodaro. “Usabvisise mwana wako musikana chimiro uchimuita kuti ave pfambi, nyika ingadaro ikapindwa nomweya woufeve, ikazara kuti kabu nouipi. Chengetai maSabata angu, muremekedze nzvimbo yangu inoera. Ndini Tenzi ndinodaro. “Musaende kundobvunza vanosvikirwa kana kundoshopera. Musavatsvake kuti murege kun'oreswa navo. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro. “Unofanira kuremekedza vachena musoro, ukudze harahwa nechembere, uchitya Mwari wako, ndini Tenzi ndinodaro. Musabata zvakaipa mutorwa agere munyika yenyu. Zvaunoita kune chizvarwa chomunyika yenyu ndozvamunofanira kuita kune mutorwa. Unofanira kumuda sokuda kwaunozviita iwe pachako nokuti imiwo maiva vatorwa munyika yeIjipiti. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro. “Musambotsaudzira zvenyu pakutonga kana pakuera ukuru hwechinhu, kana kurema kwacho, kana uwandi hwezvinhu. Munofanira kuva nezvokueresa zviri pamwero, zvingave zvokueresa kurema kwechinhu, kana bhagidhi rokueresa musvo, kana zvokuera zvinhu zvakaita mvura mvura. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndakakuburitsai kunyika yeIjipiti ndinodaro. Munofanira kuchengeta mirao yangu yose nezvirevo zvangu zvose muzviite. Ndini Tenzi ndinodaro.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Ani naani wenyu muIsiraeri kana mutorwa agere nemi muIsiraeri anenge apira mwana wake kuna Moreki, ngaaurayiwe. Vanhu venyika iyoyo ngavamuteme namabwe afe. Ini pachangu ndichaonana nomunhu iyeyo, ndichamucheka ukama nevokwake nokuti akapira mwana wake kuna Moreki akan'oresa nzvimbo yangu inoera, akashonhawo zita rangu rinoera. Kana vanhu venyika iyoyo vakamuona achipira mwana wake kuna Moreki vakanyarara zvavo, vakarega kumuuraya, ini pachangu ndichaonana nomunhu iyeyo pamwechete nemhuri yake yose ndichavacheka ukama nevokwavo, iye pamwechete nevanomutevera pakuita senzenza dzokuteveredza Moreki.’ “Kana munhu akaenda kundobvunza vanosvikirwa kana vanoshopera achiita senzenza kuvateveredza, ini pachangu ndichaonana nomunhu iyeyo, ndichamucheka ukama nevokwake. Naizvozvo zvitsaurei kuva vangu, muve vatsvene nokuti ini Tenzi ndini, Mwari wenyu. Chengetai mirao yangu muite zvainoreva ini Tenzi ndini ndinokuitai kuti muve vatsvene. “Ani naani zvake anoti dai baba wake kana amai vake vawana chinovawana, ngaaurayiwe nokuti anenge achida kuti baba wake kana kuti amai vawirwe norushambwa. Rufu rwake ndorwokuzviparira. “Kana murume aita upombwe nomudzimai womumwe, mhombwe iyoyo nomukadzi aita ufeve iyeyo, vose vari vaviri, vanofanira kutouraiwa. Murume anotorana nomukadzi wababa wake atozvidza baba wake. Murume iyeyo nomukadzi wacho vose zvavo vari vaviri vanofanira kutouraiwa Rufu rwavo nderwokuzviparira. Murume anotorana nomuroora wake, vose zvavo vari vaviri, vanofanira kuti vatouraiwa nokuti vaita makunakuna. Rufu rwavo nderwekuzviparira. Kana murume akatorana nomumwe murume akagara naye sokunge murume nomukadzi, vose zvavo vari vaviri vatoita chinhu chakaipa kwazvo, ngavaurayiwe. Rufu rwavo nderwekuzviparira. Kana murume akatorana nomukadzi achizotoranawo navambuya vake, uipi ihwohwo, iye naivo vanofanira kupiswa nomoto kuti pakati penyu parege kuva nouipi. Murume akaita chakaipa nemhuka ngaaurayiwe, Mhuka iyoyo ngaiurayiwewo. Mukadziwo akaita chakaipa nemhuka ngaurayiwe. Mhuka iyoyo ngaiurayiwewo. Mukadzi iyeyo anofanira kuuraiwa pamwechete nemhuka iyoyo. Rufu rwavo nderwokuzviparira. “Kana murume akatorana nehanzvadzi yake, angave mwanasikana wababa wake nomumwe mukadzi kana kuti wamai vake nomumwe murume vakaonererana, chinhu chinonyadzisa, ngavachekwe ukama novokwavo nokuti akatorana nehanzvadzi yake, ndiye atozviparira. Kana murume akarara nomukadzi ari panguva yake yokutevera amunyadzisa nokumuonerera achiri kutevera uye achizviratidza panobva kutevera kwake. Vose zvavo vari vaviri ngavachekwe ukama nevokwavo. “Usatorane navatete vako, kana kutorana nomukoma kana munun'una waamai vako nokuti makunakuna iwayo, vanozviparira. Kana murume akatorana naamainini kana namaiguru vake, azvidza babamudiki kana kuti babamukuru wake, chitadzo chavo ichocho ndechokuzviparira vachafa vasina mwana. Kana murume akatorana nomukadzi womukoma kana womunun'una wake atoita chinhu chakan'ora, ashora mukoma kana munun'una wake, vachashaya mbereko. “Munofanira kuteerera mirao yangu yose, nezvirevo zvangu zvose muzvichengete kuitira kuti nyika yekwandirikukuendesai kundogara irege kukurutsai. Musatevedzere tsika dzerudzi rwavanhu vandiri kufanokudzingirai imomo nokuti vaiita zvinhu zvose izvozvi, saka ndakavasema. Asi ini ndakakuudzai kuti, ‘Muchatora nyika yavo muchiita yenyu, nyika yakanaka inoerera uchi nomukaka. Ini Tenzi, Mwari wenyu ndini ndakakutsaurai mukati medzimwe ndudzi.’ Naizvozvo imi zivai kusiyanisa mhuka dzakan'ora nedzisina kun'ora, neshiri dzakan'ora nedzisina kun'ora. Musazvin'orese nemhuka kana neshiri kana nezvinhu zvipi nezvipi zvazvo zvizere panyika, dzandakakutsaurirai mudzizive kuti dzakan'ora. Ivai vatsvene kwandiri nokuti ini Tenzi ndiri mutsvene uyewo ndakakutsaurai mukati mendudzi dzevanhu kuti muve vangu. “Munhurume kana munhukadzi ari svikiro kana muroyi ngaauraiwe, ngavatakwe nemabwe. Rufu rwavo nderwokuzviparira.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vapristi vanakomana vemhuri yokwaAroni kuti, ‘Hapana anofanira kun'oreswa nezvitunha pakati pevekwake, kunze kwokutoti chiri chitunha chehama yake yomumba. Vangave amai kana baba vake, kana kuti mwana wake mukomana kana musikana, kana mukoma kana munu'una vake, kana hanzvadzi yake mhandara, womumba, asati aroorwa, pamusana pake angazvin'orese zvake.’ Iye somutungamuriri wavanhu ngaarege kuzvin'oresa. Havafanire kuveura musoro yavo vachizviita mhanza kana kugera ndebvu dzaparushaya, kana kuzvicheka muviri. Vachava vanhu vaMwari, vatsvene, havafanire kusvibisa zita raMwari wavo nokuti ndovanopira mupiro inoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi, nechokudya kuna Mwari saka vanofanira kuva vanhu vatsvene. Ngavarege kuroora pfambi kana mukadzi akambokanganiswa kunyangwe mukadzi akarambwa nomurume wake, nokuti mupristi munhu mutsvene akatsaurirwa Mwari. Mubatei somunhu akateketerwa kwandiri nokuti ndiye anopira chokudya chinopirwa kuna Mwari. Kwamuri ngaave munhu akateketerwa kuna Mwari nokuti ini Tenzi ndinokuitai kuti muve vatsvene ndiri mutsvene. Kana mwanasikana womupristi upi noupi zvake akazviipisa achiita upfambi, atofumura baba vake ngaapiswe nomoto. “Mupristi anenge akazodzwa musoro namafuta kuva mupristi mukuru pakati pevokwake, iye akagadzwa kuti apfeke hanzu dzoupristi, haafaniri kurega vhudzi rake rakaiita jakuchichi kana kubvarura hanzu dzake kana kuzvin'oresa nokusvika pedyo nechitunha, chingave chitunha chababa kana chaamai vake. Haafanire kumbosiya nzvimbo inoera kana kun'oresa nzvimbo yaMwari wake inoera nokuti kuteketerwa kwaakaitwa kuna Mwari achizodzwa mafuta kuri paari, ndini Tenzi ndinodaro. Anofanira kuroora mhandara. Ngaarege kuroora chirikadzi, kana mukadzi akarambwa kana mukadzi akakanganiswa kana pfambi. Asi ngaaroore musikana achiri mhandara kune vokwake, kuti vana vake varege kuva vana vakan'ora pakati pevokwake. Ini Tenzi ndini ndinomuita kuti ave mutsvene.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira Aroni kuti, ‘Pazvizvarwa zvako zvose hapana munhu womhuri yekwako ane pakaremara anobvumirwa kuuya nechokudya kuzopira Mwari.’ Ndinodaro nokuti hakuna munhu ane pakaremara anobvumirwa kupirira vanhu mipiro angave bofu kana mhetamakumbo, kana ane chakaremara pauso kana pamuviri wake, kwouya akatyoka ruoko kana gumbo, kana ane nhutwa, kana mandionerepi, kana ane chirwere chamaziso kozoti ane chirwere chezvisasa kana chemhezi kana munhu akagadzirwa. Hakuna munhu wemhuri yokumupristi Aroni ane pakaremara anobvumirwa kuuya kuzopirira vanhu mipiro inoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi. Ane pakaremara haabvumirwi kuzopirira vanhu chokudya chinopirwa kuna Mwari wake Munhu akadaro anobvumirwa zvake kudya chingwa chaMwari wake chemipiro inoeresesa kana yezvinhu zvinoera. Asi haabvumidzwe kuenda seri kwejira rokudzikatirisa kana kusvika pedyo neatari nokuti ane pakaremara angan'orese nzvimbo dzangu dzinoera. Ini Tenzi ndini ndinovaita kuti vave vanhu vatsvene.” Ndizvo zvakataurwa naMosesi kuna Aroni navanakomana vake nokuvanhu vose veIsiraeri. Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira Aroni navanakomana vake kuti varege kuita zvokutamba nezvinhu zvinoera zvavaIsiraeri zvavanopira kwandiri kuitira kuti varege kusvibisa zita rangu rinoera. Ndini Tenzi ndinodaro. Uvati, ‘Ani naani zvake anenge aine chinomun'oresa wemhuri dzenyu dzose, pazvizvarwa zvenyu zvose anosvika pazvinhu zvinoera zvinopirwa navaIsiraeri kuna Tenzi iye akan'ora, munhu iyeyo ngaarege kubvumirwa kusvika pandiri. Ndini Tenzi ndinodaro.’ “Hakuna munhu wemhuri yekwaAroni anenge aine chirwere chamapere, kana anenge ane chirwere chezvinobuda maari anobvumidzwa kudya zvinhu zvinoera, kusvikira achenurwa. Ani naani anenge agunzva chinhu chakambogunzvana nechitunha, kana chinhu chakagumana nomurume azvirotera, atova munhu akan'ora. Ani naani anobata chinhu chinokambaira chinon'oresa munhu kana kubata munhu ane chinon'oresa, angave aine chinon'oresa chipi nechipi zvacho, munhu anobata zvinhu zvakadaro, achava munhu akan'ora kusvikira zuva radoka. Haafaniri kudya zvinhu zvinoera asi kutoti ashamba muviri. Kana zuva radoka achava munhu akachenurwa, ndopaachazodya zvake zvinhu zvinoera nokuti ndiko kudya kwake ikoko. Ngaarege kudya chinhu chinofa choga kana chinorumwa haafaniri kudya, achizvin'oresa nacho. Ndini Tenzi ndinodaro. “Saka ngavateerere mirao yangu nokuti vangadaro vakaita chitadzo chokuizvidza, vakafa. Ini Tenzi, ndini ndinovaita kuti vave vatsvene. “Mutorwa haafanire kudya zvinhu zvinoera, angave munhu ari kumbogara nomupristi kana munhu ari kumbomushandira ngaarege kudya zvinhu zvinoera. Asi kana mupristi akatenga muranda nemari kana muranda iyeyo anogona kuzvidya uye vakaberekwa mumusha make vangadye zvavo chokudya chaanodya iye. Kana mwanasikana womupristi akaroorwa nomutorwa haazobvumirwi kudya zvinhu zvemupiro inoera. Asi kana mwanasikana womupristi asina vana ari chirikadzi kana kuti akarambwa nomurume akadzokera kundogara kumusha kwake kuna baba wake, sapausikana hwake angadye zvake chokudya chinodyiwa nababa wake. Asi hakuna munhu, wokunze anobvumirwa kudya izvozvo. “Kana munhu akadya zvinhu zvinoera mukusaziva, ngaaripe chaanenge adya, awedzere pachiri makumi maviri pazana roga roga raanofanira kuripa, ape mupristi zvinhu zvinoera izvozvo. Vapristi ngavarege kun'oresa zvinhu zvinoera zvavaIsiraeri zvavanopira kuna Tenzi, vachivarega vachipara mhosva inotoripwa yokudya zvinhu zvavo zvinoera nokuti ini Tenzi ndini ndinovaita kuti vave vatsvene.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira Aroni navanakomana vake navaIsiraeri vose kuti, ‘Kana mumwe munhu, muIsraeri kana mutorwa agere munyika yeIsiraeri, aunza mupiro wake wokupisa kuna Tenzi, ungave mupiro wezvaakambotsidza kana mupiro wokupa nechido chake unopirwa kuna Tenzi somupiro wokupisa, kuti mupiro wake ugamuchirwe anofanira kupira chibayiro chikono chisina chinoshoreka pachiri, chehandira kana hondohwe kana makotora.’ Regai zvenyu kupira chinhu chipi nechipi zvacho chine chinoshoreka pachiri nokuti hamumbochigamuchirirwa. Kana munhu achipira Tenzi chibayiro chomombe, kana chomupiro wokuwadzana kuna Tenzi kana mune zvimwe zvipfuwo zvemipiro yokuwadzana achiita mupiro wezvaakambotsidza ungave mupiro wechido chake, kuti mupiro iwoyo ugamuchirwe, chibayiro chake chinofanira kuva chakanaka chaizvo, chisina chinoshoreka pachiri. Musapire Tenzi chipfuwo chakapofomara kana chakaremera kana chakaremadzwa kane chine ronda riri kubuda urwa kana chine chisasa kana chine mapezi. Musambopira izvozvo zvakadaro kuna Tenzi kana kuita nazvo mupiro wokupiswa paatari kuna Tenzi. Mombe kana hwai ine imwe nhengo yakaremara zvokuti yakarebesa kana kuti yakapfupikisa, munogona zvenyu kupira mupiro wokupa nechido chenyu, asi haigamuchirwe pamupiro wezvinenge zvakambotsidzwa. Chipfuwo chipi nechipi zvacho chinenge chakasvuurwa, kana kupwanywa kana kuchekwa kana kubvarurwa musachipire kuna Tenzi kana kuchiita chibayiro munyika menyu. Musambopira zvenyu kuna Mwari zvakadai zvinenge zvakabva kumutorwa nokuti zvine chinoshoreka pazviri, uyewo zvakaremadzwa, hamumbozvigamuchirirwa.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Kana kwaberekwa mhuru yemombe kana hwayana kana mbudzana ngaimboregerwa iina amai vayo kwamazuva manomwe, kubvira pazuva rorusere inenge yogamuchirika somupiro unoita zvokupiswa kuna Tenzi. Musapire chipfuwo nemwana wacho pazuva rimwechete, mhou nemhuru yayo kana hwayana naamai vayo kana mbudzana naamai vayo. Kana munhu achipira chibayiro chomupiro wokutenda Tenzi pirai chibayiro ichocho nomutoo unoita kuti mugamuchirwe. Nyama ngaidyiwe pazuva rakarero. Ngaparege kusara imwe inosvika mangwana ichiripo Ndini Tenzi ndinodaro. “Munofanira kuteerera mitemo yangu muichengete. Ndini Tenzi ndinodaro. Musan'orese zita rangu rinoera asi kutoti vaIsiraeri ngavandiremekedze somutsvene. Ini Tenzi, ndini ndinoita kuti muve vanhu vatsvene, ndiniwo ndakakuburitsai munyika yeIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Tenzi ndinodaro.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Mazuva makuru aTenzi andakasarudza amunofanira kuti ave mazuva emusangano mutsvene ezvokunamata ndeaya. Basa ngariitwe mumazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata, zuva guru rokuzorora romusangano mutsvene wezvokunamata musaite basa pazuva iroro iSabata naTenzi kwose kwose kwamunenge mugere. Aya ndiwo mazuva makuru akasarudzwa naTenzi nemisangano mitsvene yezvokunamata amunofanira kuudza vanhu kana nguva yawo yasvika.’ “Zuva rechigumi nemana romwedzi wokutanga zuva rodoka, ndiro zuva rePasika yaTenzi. Zuva rechigumi nemashanu remwedzi wakarewo izuva guru raTenzi reChingwa chisina mbiriso. Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. Pazuva rechiposhi munofanira kuita musangano mutsvene wezvokunamata, musaite basa rinorema. Asi kwamazuva manomwe pirai Tenzi mupiro unoita zvokupiswa nomoto. Pazuva rechinomwe itai musangano mutsvene wezvokunamata, murege kuita basa rinorema. Tenzi akati kuna Mosesi, Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana masvika kunyika yandiri kukupai mukakohwa mbesa dzayo torai chisumbu chembesa dzamunotanga kukohwa mupe mupristi.’ Ngaapire chisumbu ichocho aite mupiro unovheyeswa uchipirwa kuna Tenzi kuti akugamuchirei. Pazuva rinotevera Sabata, mupristi ndipo paanosimudza achiupira kuna Tenzi. Pazuva ramunoita mupiro unosimudzirwa uchipirwa Mwari, munofanira kupira Tenzi hwayana hono, ine gore rimwechete, isina chinoshoreka yomupiro wokupisa. Toraiwo makirogiramu maviri eupfu muhukanye namafuta eorivhi mupire kuna Tenzi mupiro unoita zvokupiswa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza, pamwechete nawo pirai mupiro wezvokunwa wewaini inokwana rita rimwechete. Musambodya zvenyu chingwa kana mbesanwa dzakakangwa kana kudya zvomumunda zvinyoro, kusvikira pazuva rakarero kusvikira matounza mupiro waTenzi iwoyu. Murao iwoyu uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose kwose kwose kwamunenge mugere narini wose. “Kubvira pazuva rinotevera Sabata rechinomwe pamunounza chisumbu chembesanwa chinosimudzirwa chichipirwa verengai mavhiki manomwe azere. Kana kwapera maSabata manomwe, zuva ramangwana racho rinobva rakwanisa mazuva makumi mashanu ipapo pirai Tenzi mumwe mupiro wembesanwa itsva. Muchaunza kubva kudzimba dzenyu zvingwa zviviri zvinosimudzirwa zvichipirwa kuna Mwari. Chingwa choga choga ngachibikwe noupfu hunorema makirogiramu maviri, huri hwekoroni hwakanyatsokuyiwa, chibikwe chiine mbiriso sembesa dzokutanga kuibva dzinopirwa Tenzi. Pamwechete nechingwa ichocho munofanira kupira hwayana nomwe dzine gore rimwechete dzisina chinoshoreka padziri, nehandira imwechete nembudzi mbiri. Ngazvive zvomupiro wokupisa pamwechete nemupiro wazvo wembesanwa nemupiro yazvo yezvokunwa. Iwoyu mupiro unoita zvokupiswa nomoto unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. Munofanira kupira mbudzi hono imwechete, yomupiro wokupfupira zvitadzo nehwayana mbiri, hono, dzine gore rimwechete sechibayiro chomupiro wekuwadzana. Mupristi ngaazvisimudze achizvipira nechingwa chiya chembesanwa dzinotanga kukohwiwa somupiro unosimudzwa uchipirwa kuna Tenzi nehwayana mbiri. Zvinhu izvozvi zvinenge zvapirwa kuna Tenzi, zvinoera, zvinozopihwa vapristi. Pazuva rakarero daidzirai musangano mutsvene wezvokunamata. Musaite basa rinorema. Iwoyu, mutemo uchagara uripo, narini wose, kwose kwamunenge mugere, pazvizvarwa zvenyu zvose. “Kana mokohwa minda yenyu regai kukohwa kumuchetocheto kana kufuhwa mbesanwa dzinosaririra muminda yenyu. Ngazvisiyirwe varombo navatorwa. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti ‘Zuva rokutanga romwedzi wechinomwe, izuva guru rokuzorora, zuva romusangano mutsvene wezvokunamata, rinopembererwa nokuridza mupururu. Musamboita zvenyu basa rinorema, munofanira kupira mupiro unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi.’ ” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zuva rechigumi remwedzi iwoyu wechinomwe, izuva rokuripira zvitadzo nokuwadzana naTenzi. Kwamuri inguva yamunofanira kuita musangano mutsvene wezvokunamata. Munofanira kuzvinyima mupire Tenzi mupiro wokupisa nomoto. Musamboita zvenyu basa pazuva iroro nokuti izuva rokuripira zvitadzo nokuwadzana naTenzi, Mwari wenyu. Ani naani anorega kuzvinyima pazuva iroro achachekwa ukama novokwake. Ani naani anotoita zvake basa pazuva iroro munhu iyeyo ndichamuparadza pakati pevokwake. Musamboita zvenyu basa. Murao iwoyu uchagara uripo narini wose pazvizvarwa zvenyu zvose, kwose kwamunenge mugere. Kwamuri, zuva iri, iSabata guru rokuzorora. Munofanira kuzvinyima kubvira manheru ezuva rechipfumbamwe romwedzi iwoyo. Chengetai Sabata kubvira manheru iwayo kusvikira mangwana manheru.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kubvira pazuva rechigumi namashanu romwedzi wechinomwe chengetai mazuva makuru amatumba okupemberera Tenzi.’ Zuva rokutanga racho izuva romusangano mutsvene wezvokunamata, hamufaniri kuita basa rinorema. Kwamazuva manomwe iwayo pirai Tenzi mipiro wokupisa nomoto. Pazuva rorusere ngapaitwe musangano mukuru mutsvene wezvokunamata, mupire kuna Tenzi mupiro wokupisa, musangano mukuru, musaite basa rinorema. Iwaya ndomazuva makuru akasarudzwa naTenzi amunofanira kuita misangano mitsvene yezvokunamata, amunopira Tenzi mipiro yokupisa nomoto, nemipiro yokupisa nemipiro wembesanwa nezvibayiro nemipiro yezvokunwa, zuva nezuva riine mipiro yaro tisingaverengeri maSabata aTenzi, kana zvipo zvenyu, kana mupiro yezvakambotsidzwa kana mipiro yokupa nechido chenyu, yamunopira kuna Tenzi. “Kubvira pazuva rechigumi nemashanu romwedzi wechinomwe, pamunenge mapedza kukohwa minda yenyu, chengetai mazuva makuru iwayo okupemberera Tenzi, kwamazuva manomwe, Zuva rokutanga ngarive zuva guru rokuzorora. Zuva rorusere ngarive zuva guru rokuzorora rokutanga, tanhai michero yakanaka yemiti yenyu yamakasima. Toraiwo mapazi omurara neemimwe miti ine mashizha mazhinji, neemushambangwena yomurwizi, mufare muchipemberera pamberi paTenzi Mwari wenyu kwamazuva manomwe. Chengetai mazuva makuru iwaya okupemberera Tenzi kwamazuva manomwe pagore. Iwoyu, murao uchagara uripo narini wose, pazvizvarwa zvenyu zvose. Uchengetei mumwedzi wechinomwe. Garai mumatumba kwamazuva manomwe. Munhu wose, muIsiraeri, ngaagare mumatumba, kuitira kuti zvizvarwa zvenyu zvizive kuti ini ndakagarisa vaIsiraeri mumatumba, pandakavaburitsa munyika yeIjipiti. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro.” Saizvozvo Mosesi akaudza vaIsiraeri mazuva makuru akasarudzwa okupemberera Tenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti, vakuigire mafuta akanakisisa, emaorivhi akadzvurwa, okuisa mumarambi, kuitira kuti mwenje ugare uchipfuta, nechedivi rokunze kwejira rokudzikatirisa bhokisi rechitenderano, mutendhe rokusanganira. Manheru oga oga, Aroni ngaatungidze marambi iwayo ave pana Tenzi achipfuta kusvikira mangwana mangwanani. Iwoyu murao uchange uripo narini wose pazvizvarwa zvenyu zvose. Nguva dzose ngaachengetedze marambi iwayo, epachigadzikiro chemwenje chendarama chaiyo chiya achivheneka pana Tenzi. “Unofanira kutora upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa ubike zvingwa gumi nezviviri, chingwa choga choga chibikwe noupfu hunorema makirogiramu maviri. “Rongai zvingwa izvozvo patafura yakaputirwa nendarama chaiyo. Ngazvirongwe mumitsara miviri, mumwe uve nezvitanhatu. Pamitsara iyoyo ngapave norusenzi rwakanakisisa runozova mupiro wechirango wezvokudya unoita zvokupiswa nomoto uchipirwa kuna Tenzi. Pamusi weSabata woga woga, Aroni ngaarongere vaIsiraeri chingwa ichocho pana Tenzi. Ichochi, chitendherano chichagara chiripo narini wose. Chingwa ichocho ndechaAroni navanakomana vemhuri yekwake. Kana vochidya ngavachidyire panzvimbo inoera nokuti ndomugove wake unoera kwazvo unotorwa pamipiro yaTenzi inoita zvokupiswa nomoto. Iwoyu murao uchagara uripo.” Mumwe murume aiva naamai vechiIsiraeri, baba wake ari wechiIjipiti, akaenda mukati mavaIsiraeri akamutsana pamatendhe nomumwe murume aiva nababa naamai vechiIsiraeri. Murume uya aingova naamai vechiIsiraeri, amai vake vainzi Sheromiti vaiva mwanasikana waDhibhiri vedzinza rokwaDhani akashonha Mwari nezita achinyomba. Vakaenda naye kuna Mosesi. Vakamubata vakamuchengeta vachida kuti Tenzi avaudze zvokuita naye. Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Buritsai akanyomba Mwari uya kunze kwematendhe. Vanhu vose vakamunzwa achishonha Mwari ngavaise maoko avo pamusoro womurume iyeyo, gungano rose ravaIsiraeri ngarimutake namabwe afe. Iwe ibva waudza vaIsiraeri kuti ani naani anonyomba Mwari anozviparira. Munhu anoshonha Tenzi nezita anofanira kuuraiwa. Gungano rose ngarimutake nemabwe, chingave zvacho chizvarwa chomuIsiraeri kana kuti mutorwa ngaaurayiwe. “Ani naani anouraya munhu ngaaurayiwewo. Ani naani anouraya chipfuwo chomumwe ngaachiripe. Upenyu hunoripwa noupenyu. “Kana munhu akakuvadza mumwe ngaakuvadzwewo sokukuvadza kwaakaita mumwe. Kana akatyora bvupa romumwe, bvupa rake ngarityorwewo, ziso rinoripwa neziso, zino rinoripwa nezino. Munhu sokukuvadza kwaanenge aita mumwe ndiko kuvadzwa kwaanofanira kuitwa Ani naani anouraya chipfuwo chomumwe ngaachiripe. Asi ani naani anouraya munhu ngaaurayiwewo. Mutemo mumwechete iwoyu ndiwo unosunga zvimwechetezvo muIsiraeri nomutorwa nokuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.” Saka Mosesi akataurira vaIsiraeri izvozvo. Vakatora murume uya akashonha Mwari vakaenda naye kunze kwematendhe vakamutaka namabwe ndokubva afa. Saka vaIsiraeri vakaita zvakataurirwa Mosesi naTenzi. Tenzi akataurira Mosesi, mugomo reSinai achiti, “Udza vaIsiraeri kuti, kana masvika munyika yandiri kukupai, nyika ngaivewo neSabata rayo pamusana paTenzi. Kwamakore matanhatu rimai zvenyu minda yenyu, muchipemhena migirepisi yenyu kwamakore matanhatu, muchikohwa zvenyu zvirimwa zvenyu. Asi gore rechinomwe ngarive gore reSabata rokuzorodza minda, negore rakapirwa Tenzi. Musarime minda yenyu kana kupemhena migirepisi yenyu. Regai kukohwa zvirimwa zvenyu zvamahoko. Regai kutanha magirepisi emigirepisi yenyu yamusina kumbopemhena iya, igore rokusarutsa minda isina kurimwa. Zvirimwa zvamahoko nemichero inoibva gore iroro rokusarutsa minda, ndozvichava chokudya chenyu imi, navaranda venyu vechirume nevechikadzi, navashandi venyu, navatorwa vagere nemi, nezvipfuwo zvenyu nemhuka dzomunyika yenyu. Zvose zvinoibva gore iroro ndozvichava chokudya. “Mukachengeta makore okusabata basa muminda kanomwe munenge matokwanisa makumi mana amakore ana makore mapfumbamwe. Pazuva rechigumi remwedzi wechinomwe pazuva rokuripira zvitadzo nokuwadzana naMwari, hwamanda ngadziridzwe munyika yenyu yose. Eresai gore ramakumi mashanu, muparidze kuvanhu vose vomunyika yenyu nezvorusununguko. Kwamuri, igore rehwamanda, gore rokuti munhu wose anofanira kudzokera pamunda pake, munhu wose achidzokera kumhuri yokwake. Gore rechimakumi mashanu kwamuri, igore rokupemberera Jubhiri iroro, mugore iro regai kurima minda yenyu, kana kukohwa zvemahoko kana kutanha magirepisi pamigirepisi yamusina kupemhena iya. Ndinodaro nokuti igore rehwamanda, kwamuri igore rinoera. Muchadya zvamahoko omuminda yenyu. “Mugore iroro rehwamanda, munhu wose ngaadzokere pamunda pake. Kana muchitengeserana kana kutengerana, vaIsiraeri pachenyu, musabiridzirane. Kana munhu otenga munda womumwe, ngapaverengwe makore apfuura kubvira pagore rehwamanda, munda ngautengeswe pachiverengiwa makore okurima asara. Kana kuchine makore mazhinji mutengo wacho ngaukwidzwe. Asi kana kwasara makore mashoma mutengo wacho ngauderedzwe nokuti chaanokutengesera chaicho huwandi hwamakore auchazorima. Musabiridzirane pachenyu, asi ityai Mwari wenyu nokuti ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro. “Chengetai mirao yangu nemitemo yangu muite zvainoreva kuti mugare munyika yenyu makagarika makagarikana. Nyika yenyu ichava nyika yamaguta ezvirimwa. Muchadya zvenyu muchiita zvokutorasa, mugere murugare. “Kuda mumwe wenyu angati, ‘Ko tichadyeiko mugore rechinomwe patisingabvumirwi kurima minda kana kukohwa mbesa?’ Ndichakutumirai chikomborero changu pagore rechitanhatu zvokuti minda yenyu ichabereka mbesa dzakaenzana nedzemakore matatu. Pamunodyara minda yenyu mugore rechisere munenge muchiri kudya zvamakakohwa kusvikira mugore rechipfumbamwe. Pamunenge muchikohwa zvegore iroro munenge muchitodya zvakare. “Nyika haitengeserwe munhu zvachose nokuti nyika ndeyangu, imi muri vaenzi pairi vandinotombopawo zvangu pokugara. “Munyika yenyu yose zvayo, munhu akambotengesa munda, ane mvumo yokuutenga zvakare. Kana mumwe muIsiraeri apindwa nourombo akasvika pakutengesa munda wake hama yake yomumba ngaiuye idzikinure munda iwoyo wakatengeswa nehama yake. Kana munhu asina hama yomumba yokudzikinura munda wake, asi iye ozopfuma zvokuti anowana mari yokuudzikinura nayo, ngaaverenge makore akapera kubvira panguva yaakautengesa, amudzosere muripo unokwanirana namakore anenge asara kusvika pagore rehwamanda, ozobva odzokera pamunda pake. Asi kana asina chokuudzikinura nacho kuti uve wake zvakare, uchagara zvawo uri mumaoko emunhu akautenga kusvikira gore rehwamanda. Mugore rehwamanda unenge usisiri womunhu uya akautenga. Muridzi wawo ndopaachadzokera zvake pamunda pake. “Kana munhu akatengesa imba yake iri muguta rakakomberedzwa norusvingo, ane mvumo yokuidzikinura kusati kwapera gore rokuitengesa kwake. Gore iroro rose ane mvumo yokuidzikinura. Asi kana gore rikapera asina kuidzikinura, imba yakadai, iri muguta rakakomberedzwa norusvingo, ichazogara iri yomunhu akaitenga iyeyo pazvizvarwa zvake zvose, haasungirwi kuidzosera kumuridzi pagore rehwamanda. Asi dzimba dzomumaruwa, kusina kukomberedzwa norusvingo, dzine murao mumwechete noweminda. Varidzi vadzo vane mvumo yokudzidzikinura, uyewo pagore rehwamanda dzinodzoserwa kune varidzi vadzo. Mumaguta avaRevhi, vaRevhi vane mvumo yokudzikunura dzimba dzavo dzomumaguta avo nguva ipi neipi zvayo. Kana muRevhi akarega kudzikinura imba yakatengeswa muguta ravo inodzokera kwaari mugore rehwamanda. Nokuti dziri mumaguta avaRevhi ndedzavo mukati mavaIsiraeri. Asi mafuro akapoteredza maguta avaRevhi ngaarege kutengeswa nokuti ndeavo narini wose. “Kana mumwe wako muIsiraeri agere newe akawirwa nourombo, zvokutoshayisisa chokubata, mutore ugare naye umubatsire, sezvaungangoitira mutorwa kana munhu anokumbira pokugara mumusha mako. Usareve imwe mari yokuwedzera pamusoro peyawakamukweretesa, asi itya Mwari wako urege mumwe wako muIsiraeri agare zvake newe. Usamukweretese mari uchida kuti azokudzosera yabereka imwe pamusoro, kana kumutengesera zvokudya uchida kuti uwane zvako imwe mari pamusoro pomutengo wazvo. Ini Tenzi ndinodaro, ndini Mwari wenyu ndakakuburitsai munyika yeIjipiti kuzokupai nyika yeKanani kuti ndive Mwari wenyu. “Kana mumwe wako muIsiraeri agere newe, apindwa nourombo, akazvitengesa kwauri rega kumubata somuranda. Ngaagare newe uchimubata somushandi zvake kana kuti muenzi ari kumbogara zvake newe. Ngaakuitire basa somushandi kusvikira gore rehwamanda, ndopaachazobva zvake pauri iye navana vake, odzokera zvake kumusha kwake, kunyika yemadzibaba ake. Ndinodaro nokuti vaIsiraeri varanda vangu vandakaburitsa munyika yeIjipiti, havafanire kutengeswa savaranda. Usamubate zvakaipa uchimuitira zvehasha asi itya Mwari wako. Kana muchida varanda vechirume kana vechikadzi munogona zvenyu kuvatenga kundudzi dzavanhu dzakakupoteredzai. Munogonawo kuvatenga kubva kumhuri dzavatorwa vagere nemi nemhuri dzinemi dzakaberekerwa munyika menyu vachiva venyu. Vanogona kuva nhaka yamunosiyira vana venyu ichiva yavo nokusingaperi. Mungavaite zvenyu varanda venyu, asi vamwe venyu vaIsiraeri musavabate zvakaipa muchivaitira zvehasha. “Mutorwa agere nemi kana kuti mupfuuri agere nemi akapfuma asi mumwe wenyu, muIsiraeri obva apindwa nourombo ozvitengesa kumutorwa kana kumupfuuri agere nemi kana kune mumwe wemhuri yomutorwa iyeyo, shure kwokuzvitengesa kwaakaita, zvinobvumirwa kumudzikunura. Anogona zvake kudzikunurwa nomumwe wake muIsiraeri, angave sekuru wake kana babamukuru kana babamudiki wake, kana kuti mukoma kana munun'una wake, kana imwe hama yake yomudzinza rokwake. Dai kuri kuti iye apfumawo anogona kuzvidzikinura pachake. Ngaaverengerane makore nomunhu akamutenga, kubvira pagore raakazvitengesa kwaari kusvikira pagore rehwamanda. Mari yacho inofanira kuwirirana nemakore acho. Makore aakanga aina vatenzi vake anofanira kutorwa semakore aakanga achiita zvake basa somushandi. Kana kuchine makore mazhinji asara ngaaripe chikamu chemari inosara pamari yaakatengwa nayo pabviswe mari yamakore aakamushandira. Kana pasara makore mashomanana, ngaaverengerane naye makore asara kusvika kugore rehwamanda abvise muripo wake unowirirana namakore iwayo asara okuzvinunura. Zvaanenge achimushandira gore negore ngaarege kumuomesera upenyu imi makatarisa zvenyu. Kana asina kudzikunurwa nenzira iyoyi ngaapiwe rusununguko rwake mugore rehwamanda iye navana vake. Ndinodaro nokuti vaIsiraeri varanda vangu. Ndevangu nokuti ndini ndakavaburitsa munyika yeIjipiti. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndini ndinodaro. “Regai kuzvigadzirira zvifananidzo zvokunamata kana kumisa zvifananidzo zvokuveza, kana matombo okuyeuka nawo vamwe vamwari. Regai kumisa matombo munyika yenyu muchianamata nokuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Chengetai maSabata angu, muchiremekedza nzvimbo yangu inoera. Ndini Tenzi ndinodaro. “Kana mukatevedza mitemo yangu mukateerera mirao yangu nokuichengeta, ndichakunayisirai mvura nenguva yayo, nyika ichabereka zvibereko zvayo. Miti yemichero yomuminda yenyu ichabereka michero yayo. Mbesa dzenyu dzichawanda zvokuti nguva yokutanha michero yamagirepisi ichasvika musati mapedza kupura mbesa. Munodzamara musvike pakudyara mbesa dzenyu musati mapedza kutanha magirepisi. Muchadya zvokudya zvenyu muchiguta mugere munyika yenyu makagarikana. “Ndichakupai rugare munyika yenyu, muchanyatsovata musingavhundutswi nomunhu. Ndichabvisa zvikara munyika yenyu, hamuzovizve nehondo munyika imomo. Muchadzingirira vavengi venyu, muchivarizha nebakatwa. Vashanu venyu, vachadzingirira zana ravanhu. Zana ravanhu venyu, richadzingirira zviuru gumi zvavanhu. Vavengi venyu vachapera kuurayiwa nehondo yenyu. Ndichakucheukai, ndikupei chikomborero chokuti muberekane muwande. Ndichachengeta chitendherano changu nemi. Mbesanwa dzenyu dzichasaruka nokusarukazve mumatura enyu, muchidya, zvokutozodzirasa moisa dzimwe itsva. Ndichaita musha wangu pakati penyu, Handizombofi ndakakufuratirai. Ndichaenda nemi, ndichava Mwari wenyu imi muri vanhu vangu. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu akakuburitsai munyika yeIjipiti kuti murege kuva varanda vavo. Ndakatyora zvikei zvejoko rouranda hwenyu ndikaita kuti mufambe makasununguka. “Kana mukarega kunditeerera, mukarega kuchengeta mitemo iyoyo, kana mukaramba mirao yangu, imi nemwoyo yenyu mofuratira zvirevo zvangu, morega kuchengeta mitemo yangu, mochityora zvenyu chitenderano changu nemi, zvandichaita kwamuri ndezvizvi: ndichakutsvatai nenhamo dzinodederesa, muchaperezeka muchipisa muviri nechirwere chinokupofomadzai muchizoondoroka zvokufa. Muchadyarira mbeu dzenyu pasina, nokuti vavengi venyu ndovachadzidya. Ndichaonana nemi, vavengi venyu vachakurakashai; vanokuvengai ndivo vachakutongai muchatiza pasina anokutandanisai. “Ngatiti maoneswa nhamo idzodzo, asi imi moramba musinganditeereri ini ndichakurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe. Chinokuinzvai chacho ndichachityora-tyora. Ndicharambidza denga kunaya, richaita serakadzivirirwa nesimbi, ivhu raunotsika richaomarara somundarira. Simba renyu richaperera pasina nokuti hapana chamuchazokohwa muminda yenyu, miti yemichero yomunyika yenyu haina kana muchero wainozokupai. “Kana mukaramba muchipikisana neni, muchirega kunditeerera, ndichakupinzai mune dzimwe njodzi, ndichikurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe. Ndichatupfunura zvikara zvesango zvigoonana nemi, zvichakuurayirai vana venyu, zvichaparadzawo zvipfuwo zvenyu. Zvichakusiyai mava vashomanana, nzira dzenyu dzisisina anofamba. “Kana kuranga ikoku kukatadza kukudzorerai kwandiri asi motoramba zvenyu muchipikisana neni, ini pachangu ndichapikisanawo nemi ndichikurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe. Ndichakuunzirai hondo ichakurangirai kutadza kuchengeta chitenderano. Kana mukaunganidzana mumaguta enyu, ndichaunza denda pakati penyu, ndichakuisai mumaoko avavengi venyu vachakutongai. Ndichashomekesa chokudya chenyu zvokuti madzimai gumi achatokwanisa kubikira chingwa chavo muhovhoni imwechete. Pachaerwa mwero wokupa munhu woga woga, muchadya zvenyu asi mucharara muine nzara. “Kana izvozvi zvikatadza kuita kuti munditeerere, muchiramba muchingopikisana neni, ini pachangu ndichapikisana nemi ndakashatirwa. Iyeni pachangu ndichakurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe. Muchadya vana venyu vakomana navasikana. Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakatunhumara dzokuteurira. Ndichapaza atari dzenyu dzokupisira rusenzi uye zvitunha zvenyu ndichazviti katakata pamusoro pezvifananidzo zvenyu izvozvo zvakafa zvokunamata. Ini pachangu ndichakusemai. Maguta enyu ndichaaita kuti ave matongo, nzvimbo dzenyu dzinoera dzichisara dzisisina chinhu. Handizombofadzwa nomunhuhwi wemipiro yenyu. Ndichasiya nyika yenyu yangova nyika, zvichakatyamadza vavengi venyu vageremo. Ndichakumwararidzai mukati mendudzi dzavanhu, ndichakutumirai hondo yebakatwa ikoko. Nyika yenyu ichasara yangova nyika, maguta enyu achisara angova matongo. Nyika yenyu ichafarawo kuwana zororo remaSabata, mazuva ose aichange isina vanhu. Imi muri kunyika yavavengi venyu, nyika ndopaichawanawo zororo ichifanirawo kuva namaSabata ayo. Zororo raisina kuwana pamaSabata enyu muchigeremo, ichazoriwana pamazuva ose aichange yasara isina munhu. “Chitsama chavanhu vanenge vasara ikoko kunyika dzevavengi venyu ndichachipa mwoyo woumbwende zvokuti kunyange mhepo ikapeperetsa shizha rikati shwakata vachati pfocho kutiza. Vachamhanya savanhu vari kutiza hondo yebakatwa. Vachaputsika pasina munhu ari kuvadzingirira. Vachatsitsirirana kwazvo iko kusina ari kuvadzingirira. Hakuna mhandu yenyu yamuchagona kumirisana nayo. Muchatsakatikira mukati medzimwe ndudzi. Nyika yavavengi venyu ichakupedzai. Chitsama chenyu chinenge chasara sezvakangoita madzibaba avo, vacharamba vachipera vari munyika yavavengi venyu pamusana pouipi hwavo uyewo nouipi hwamadzibaba avo. Asi kana vakarewurura zvakaipa zvavo nezvamadzibaba avo zvavakanditadzira nazvo vakandipandukira zvokuti ini ndakazovapandukirawo, ndikavaendesa kunyika yevavengi vavo, kana vakapindura mwoyo yavo youmhandupandu, vakagamuchira chirango, ndicharangarira chitenderano changu chandakaita naJakobho nechitenderano chandakaita naIsaki nechitenderano chandakaita naAbhurahamu, ndigorangarira nyika yavo. Asi nyika yavo, vachaisiya ichimbofarirao maSabata ayo okuzorora paichasara isina munhu, vachimbondoripira zvakaipa zvavo nokuti mirao yangu vakaiona sechinhu chisina maturo, mwoyo yavo ikasema mitemo yangu. Kunyange zvakadaro zvazvo, kana vava kunyika yevavengi vavo ini handizochekani ukama navo, kana kuvavenga zvokuvatsakatisa, ndichityora chitenderano changu navo nokuti ini Tenzi ndini Mwari wavo. Ndipo pandichazoyeuka chitenderano changu chandakaita namadzitateguru avo andakaburitsa munyika yeIjipiti ndudzi dzose dzichiona, kuti ndive Mwari wavo, ndini Tenzi ndinodaro.” Izvi ndozvirevo nemirao nemitemo yakaitwa naTenzi pakati pake navaIsiraeri ikapiwa nokuna Mosesi pagomo reSinai. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana munhu akanyatsotsidza kuna Tenzi zvakaenzana nomutengo womunhu kana achida kuzadzisa zvaakatsidza imi ndimi mungaone kutema muripo ungabviswe.’ Matemero amuchaita muripo wacho ndeaya kana ari murume ana makore makumi maviri kusvikira ane makumi matanhatu emakore ngaabvisirwe makumi mashanu emari yesirivha, maererano nemari iri pamwero, yomunzvimbo inoera, kana ari mukadzi makumi matatu emari yesirivha. Mukomana wemakore mashanu kusvikira ave namakore makumi maviri, anobvisirwa makumi maviri emari yesirivha yemashekeri, kana ari musikana gumi remari yesirivha yemashekeri. Pwere yechikomana yegore rimwechete kusvikira ine makore mashanu inobvisirwa mari yesirivha yemashekeri mashanu, kana iri pwere yechisikana mari dzesirivha nhatu. “Kuvanhu vanenge vave namakumi matanhatu emakore kana anopfuura ipapo, murume anobvisirwa gumi remari yesirivha namasirivha mashanu, kana ari mukadzi gumi remari yesirivha. “Kana munhu akaita mhiko ari munhu murombo asingakwanisi kubvisa mari iri pamurao, ngaaende kumupristi nomunhu iyeyo waakapira kuna Tenzi. Mupristi ndiye anofanira kutema muripo achionawo kuti munhu akapira munhu kuna Mwari angabvise muripo wakadii. “Kana mhiko yacho iri yechipfuwo chinobvumirwa kupira kuna Tenzi, chipfuwo chipi nechipi zvacho chinenge chichikodzera chinenge chapirwa kuna Tenzi chava chinhu chinotoera. Munhu akaita mhiko iyoyo haabvumirwi kuunza chimwe chipfuwo chokudzikinura kana kuchitsivanisa nacho kana kutsinhanisa. Hazvinei kuti chakanaka nechakaipa kana chakaipa nechakanaka chokuchitsinhanisa nacho, zvose zviri zviviri zvava zvaTenzi zvavakuera. Asi kana chipfuwo chaakatsidza kupira kuna Mwari chiri chipfuwo chakan'ora, nyakutsidza ngaaende nechipfuwo ichocho kumupristi. Mupristi ngaaone kuti chakaipa here kana kuti chakanaka. Mutengo waanenge atema ndiwoyo. Kana muridzi wacho ada kuchinunura ngaabvise mutengo wacho achiwedzera makumi maviri pazana roga roga rawo. “Kana munhu achiturira imba yake kuna Tenzi, mupristi ngaandoona imba yacho kuti yakanaka here kana kuti kwete ateme mutengo wayo. Mutengo waanenge atema ndiwoyo. Kana nyakumboiturira kuna Mwari oda kudzikinura, ngaabvise mutengo wacho wemari achiwedzera makumi maviri pazana roga roga, igobva yava yake zvakare. “Kana munhu akaturira chidimbu chomunda wake wenhaka kuna Tenzi, mutengo wacho ngautemwe maererano nouwandi hwembeu dzinogona kudyarwamo, ngaabvise gumi remari yesirivha yamashekeri pakoroni inorema makirogiramu makumi maviri. Kana aturira Mwari munda iwoyo gore rehwamanda richangopera, ngaabvise mutengo wawo wose. Asi kana munhu akazoturira Mwari munda wake kwapera makore akati kuti, gore rehwamanda rapfuura, mupristi ngaateme mutengo wawo unokwanirana namakore asara kusvika pagore rehwamanda achibvisa mari yawo yamakore akapfuura. Munhu anenge aturira Mwari munda wake, kana oda kuudzikinura ngaabvise mutengo wawo achiwedzera makumi maviri pazana roga roga ucharamba uri wake. Asi kana asisadi kuudzikinura outengesa asina kutanga aununura kuna Tenzi akazoutengesera mumwe munhu, munhu wakadaro haazobvumirwi kuununurazve. Pagore rehwamanda paunofanira kudzoserwa muridzi wawo, unenge wava munda unoera wakakumikidzwa kuna Tenzi, uchava wavapristi. “Kana munhu akaturira Tenzi munda waakatenga, usiri wake wenhaka, mupristi ngaateme mutengo wawo unoenderana namakore asara kusvika kugore rehwamanda. Ngaabvise mari iyoyo pazuva rakarero, sechinhu chinoera chakatsaurirwa Tenzi. Pagore rehwamanda munda iwoyo ngaudzoserwe kumunhu uya kwawakatengwa, kumuridzi wawo wenhaka. “Mutengo upi noupi zvawo ngautemwe maererano nemari yesirivha yemashekeri iri pamurao yomunzvimbo inoera. Magera makumi maviri anoita shekeri rimwechete. “Pamusana pokuti chipfuwo choga choga chinotanga kuberekwa ndechaTenzi, hakuna munhu anofanira kupira dangwe rechipfuwo, chingave mombe kana hwai nokuti ndechaTenzi nakare. Asi dangwe rechipfuwo chakan'ora rinofanira kudzikinurwa. Ngaaridzikinure nomutengo waunenge watema. Ngaaubvise achiwedzera mukumi maviri pazana roga roga rawo. Kana dangwe iroro rechipfuwo risina kudzikinurwa, ngaritengeswe nomutengo waunenge watema. “Hakuna munhu angatengese kana angadzikinure chinhu chanyatsotsidzwa kupiwa kuna Tenzi pazvinhu zvose zvaanazvo angave munhu, kana chipfuwo kana munda wenhaka. Chinhu ichocho ndechaTenzi, chinhu chinenge chanyatsotsidzirwa Tenzi chinhu chinoera kwazvo. Kana zvatemwa chaizvo kuti munhu apirwa kuna Tenzi haanunurwe anofanira kutourayiwa. “Chegumi chembesa kana chemichero yamunorima chinoera chakatsaurirwa Tenzi. Kana munhu akada kununura chegumi chake, ngaabvise mutengo wacho achiwedzera makumi maviri pazana roga roga. Chegumi chose zvacho chemombe nechezvimwe zvipfuwo zvichireva kuti kana muchiverenga zvipfuwo, chipfuwo chipi nechipi chechigumi chinoera, chakatsaurirwa Tenzi. Muridzi wacho ngaarege kutinha zvipfuwo zvake achizvironga nomutoo wokuti zvipfuwo zvisina maturo zvisarudzirwe Tenzi. Ngaaregewo kuzvitsinhanisa nezvimwe zvipfuwo. Kana akatsinhanisa chipfuwo ichocho nechimwe chipfuwo zvose zviri zviviri nechatsinhaniswa nacho zvatova zvinoera. Hazvifaniri kana kumbodzikinurwa.” Iyi ndomirao yakatemerwa vaIsiraeri naTenzi, ikapiwa Mosesi pagomo reSinai. Tenzi akataurira Mosesi murenje reSinai mutendhe rokusanganira pazuva rokutanga romwedzi wechipiri, pagore rechipiri rokubuda kwavo muIjipiti akati, “Verengai vaIsiraeri vose imba nemba, dzinza nedzinza. Nyorai mazita avanhurume vose vane makore makumi maviri nevane anopfuura iwayo vangakwanise kuenda kuhondo muIsiraeri yose. Iwe naAroni munofanira kuvaverenga muzvikwata nezvikwata. Padzinza rimwe nerimwe torai murume mumwechete wokukubatsirai anenge ari mukuru weimba yamadzibaba ake.” Mazita avarume vokukubatsirai ndiwo aya: mudzinza raRubheni, torai Erizuru mwanakomana waShedheuru; mudzinza raSimeoni, torai Sherumieri mwanakomana waZurishadhai; mudzinza raJudha, torai Nashoni mwanakomana waAminadhabhu; mudzinza raIsakari, torai Netaneri mwanakomana waZuaru; mudzinza raZebhuruni, torai Eriabhu mwanakomana waHeroni; pavana vaJosefi mudzinza raEfuremu, torai Erishama mwanakomana waAmihudhi; mudzinza raManase, torai Gamarieri mwanakomana waPedhazuru; mudzinza raBenjamini, torai Abhidhani mwanakomana waGidheoni; mudzinza raDhani, torai Ahiezeru mwanakomana waAmishadhai; mudzinza raAsheri, torai Pagieri mwanakomana waOkirani; mudzinza raGadhi, torai Eriasafu mwanakomana waDheueru; mudzinza raNafutari, torai Ahira mwanakomana waEnani. Ivava ndivo vakasarudzwa mugungano rose, vaiva vatungamiriri mumadzinza avo, variwo vakuru vakuru mudzimhuri dzavaIsiraeri. Mosesi naAroni vakagamuchira varume ivavo vakadomwa namazita. Vakandokokorodza vaIsiraeri vose pazuva rokutanga romwedzi wechipiri, ndokunyora vanhu mumadzinza avo nomumhuri dzavo. Vakanyora mazita vachiverenga mumwe nomumwe varume vose vaiva namakore makumi maviri navaiva namakore anopfuura iwayo, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Saka akavaverenga vari kurenje reSinai. Mudzinza rokwaRubheni dangwe raIsiraeri makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raRubheni vose vaisvika makumi mana ezviuru ane zviuru zvitanhatu namazana mashanu. Mudzinza raSimeoni makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raSimeoni vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvipfumbamwe namazana matatu. Mudzinza raGadhi makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raGadhi vose vaisvika makumi mana ezviuru ane zviuru zvishanu namazana matanhatu ana makumi mashanu. Mudzinza raJudha makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raJudha vose vaisvika makumi manomwe ezviuru ane zviuru zvina namazana matanhatu. Mudzinza raIsakari makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raIsakari vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvina namazana mana avanhu. Mudzinza raZebhuruni makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raZebhuruni vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvinomwe namazana mana. Mudzinza raJosefi, dzinza rokwaEfuremu vakaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raEfuremu vose vaisvika makumi mana ezviuru ana mazana mashanu. Mudzinza raManase makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raManase vose vaisvika makumi matatu ezviuru ane zviuru zviviri namazana maviri. Mudzinza raBhenjamini makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raBhenjamini vose vaisvika makumi matatu ezviuru ane zviuru zvishanu namazana mana. Mudzinza raDhani makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raDhani vose vaisvika makumi matanhatu ezviuru ane zviuru zviviri namazana manomwe. Mudzinza raAsheri makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raAsheri vose vaisvika makumi mana ezviuru ane chiuru chimwechete namazana mashanu. Mudzinza raNafutari makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. Vakaverengwa mudzinza raNafutari vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvitatu namazana mana. Ivava ndivo vanhu vakaverengwa naMosesi naAroni vachibatsirwa navatungamiriri vavaIsiraeri gumi navaviri, mumwe nomumwe achimiririra dzinza rake. Saka vaIsiraeri vose vakaverengwa vaiva varume vane makumi maviri amakore navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo, muIsiraeri. Vose pamwechete vaikwana mazana matanhatu ezviuru ane zviuru zvitatu namazana mashanu ana makumi mashanu avanhu. Asi vaRevhi havana kuverengwa pamwechete namamwe madzinza, nokuti Tenzi akanga ataura naMosesi achiti, “Asi vedzinza raRevhi usaverenge, usavaverengere mukati mavanhu veIsiraeri. Asi vaRevhi ndivo vauchapa basa rapatendhe rechitenderano nazvose zvirimo. Ndivo vacharitakura pamwechete nazvose zvirimo. Ndivo vachashandamo. Vachadzika matendhe avo akaripoteredza. Pamunenge motamisa tendhe rinoera, vaRevhi ngavaripete vachindoridzikazve kwamuchazombogara. Mumwe munhuwo zvake asiri muRevhi anenge asvika padyo naro ngaaurayiwe. Vamwe vaIsiraeri vose ngavadzike matendhe avo vagare vari mumapoka avo, mumwe nomumwe ari muchikwata chake nomureza wacho. Asi vaRevhi ngavadzike matendhe avo vakapoteredza tendhe rechitenderano kuti ndirege kuitira hasha gungano ravanhu veIsiraeri. VaRevhi vanofanira kuchengeta tendhe rechitenderano.” Saizvozvo vaIsiraeri vakaita zvose zvakanga zvatemerwa Mosesi naTenzi. Tenzi akataurira Mosesi naAroni kuti, vaIsiraeri pavanodzika matendhe avo mumwe nomumwe ngaagare pane mureza wake ari mudzinza rake, rine mureza warowo. Matendhe ngaadzikwe akapoteredza tendhe rinoera. Vachadzika matendhe avo nechokumabvazuva ndovomureza wamatendhe edzinza rokwaJudha, vachange vari muzvikwata nezvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza rokwaJudha iri anenge ari Nahishoni mwanakomana waAminadhabhu, chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu mazana makumi manomwe ezviuru ane zviuru zvina, zvina mazana matanhatu. Vachadzika matendhe avo padyo nevokwaJudha ndevedzinza raIsakari. Mutungamiriri wedzinza raIsakari anenge ari Netaneri mwanakomana waZuaru, chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvina namazana mana. Kouyawo vedzinza raZebhuruni, mutungamiriri wedzinza raZebhuruni anenge ari Eriabhu mwanakomana waHeroni, chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvinomwe zvina mazana mana. Vomumatendhe edzinza rokwaJudha, chikwata nechikwata, vose pamwechete vaisvika zana rimwechete rina makumi masere ezviuru ane zviuru zvitanhatu zvina mazana mana avanhu. Ivava ndivo dzinza rokutanga kusumuka kana moita rwendo. Vachadzika matendhe avo nechokumaodzanyemba ndowomureza wamatendhe edzinza raRubheni, vachange vari muzvikwata nezvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza raRubheni iri anenge ari Erizuru mwanakomana waShedheuru. Chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mana ezviuru ane zviuru zvitanhatu zvina mazana mashanu. Vachadzika matendhe avo pedyo naye ndevedzinza raSimeoni. Mutungamiriri wedzinza raSimeoni anenge ari Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai. Hondo yake sokuverengwa kwayakaitwa inenge iri vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvipfumbamwe zvina mazana matatu. Kouyawo vedzinza raGadhi, mutungamiriri wedzinza raGadhi iri, anenge ari Eriasafu mwanakomana waReueri. Chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mana ezviuru ane zviuru zvishanu zvina mazana matanhatu ana makumi mashanu. Vomumatendhe edzinza raRubheni vachange vari muzvikwata zvavo, vose pamwechete vaisvika zana rimwechete rina makumi mashanu ezviuru ane chiuru chimwechete china mazana mana ana makumi mashanu avanhu. Ivava ndivo dzinza rechipiri kusumuka kana moita rwendo. Tendhe rokusanganira rinobva ratevera rakatakurwa nevematendhe edzinza rokwaRevhi richange riri nechapakati pamatendhe amadzinza ose, sokudzika kwavanenge vakaita matendhe avo, ndokusumuka kwavanoitawo kana voita rwendo, vanenge vakati iri dzinza paro, iri dzinza paro, rimwe nerimwe riine mureza warowo. Vachadzika matendhe avo nechokumadokero, ndovomureza wedzinza raEfuremu, vachange vari muzvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza raEfuremu anenge ari Erishama, mwanakomana waAmihudhi. Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi mana ezviuru ana mazana mashanu. Vachadzika matendhe avo pedyo navo ndevedzinza raManase. Mutungamiriri wedzinza raManase iri anenge ari Gamarieri, mwanakomana waPedhazuru. Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa, chinenge chiri vanhu makumi matatu ezviuru ane zviuru zviviri zvina mazana maviri. Kouyawo vedzinza raBhenjamini, mutungamiriri wedzinza raBhenjamini iri, anenge ari Abhidhani mwanakomana waGidheoni. Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi matatu ezviuru ane zviuru zvishanu zvina mazana mana. Vomumatendhe edzinza raEfuremu, vari muzvikwata zvavo, vose pamwechete izana rezviuru nezviuru zvisere zvina zana rimwechete ravanhu. Ivava ndivo dzinza rechitatu kusumuka kana moita rwendo. Vachadzika matendhe avo nechokuchambembe ndowomureza wedzinza raDhani vachange vari muzvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza raDhani iri, anenge ari Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai. Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi matanhatu ezviuru ane zviuru zviviri zvina mazana manomwe. Vachadzika matendhe avo pedyo naye ndevedzinza raAsheri. Mutungamiriri wedzinza raAsheri iri anenge ari Pagieri mwanakomana waOkirani. Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi mana ezviuru ane chiuru chimwechete china mazana mashanu. Kouyawo vedzinza raNafutari. Mutungamiriri wedzinza raNafutari iri, anenge ari Ahira mwanakomana waEnani. Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa, chinenge chiri vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvitatu zvina mazana mana. Vomumatendhe okwaDhani, vari muzvikwata zvavo, vose pamwechete vaisvika zana rina makumi mashanu ezviuru nezviuru zvinomwe zvina mazana matanhatu avanhu. Ivava ndivo dzinza richasumuka kokupedzisera vari mureza nomureza. Ivava ndivo vaIsiraeri vose vakaverengwa nedzimba dzamadzibaba avo, mumatendhe avo. Vakaverengwa muzvikwata nezvikwata zvavo vaisvika mazana matanhatu ezviuru ane zviuru zvitatu zvina mazana mashanu ana makumi mashanu avanhu. Asi vaRevhi havana kuverengerwa mumadzinza mamwe ose avaIsiraeri sokurayirwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. VaIsiraeri vakaita zvose zvakanga zvarayirwa Mosesi naTenzi. Vaidzika matendhe pane mireza yavo saizvozvo vaisimudzira rwendo munhu wose ari mumhuri yokwake nemba yokwababa vake. Ava ndivo vanakomana vaAroni naMosesi panguva yakataura Tenzi naMosesi pagomo reSinai. Aya ndiwo mazita avanakomana vaAroni. Wedangwe aiva ari Nadhabhu achiteverwa naAbhihu naEreazari naItamaru. Aya ndiwo mazita avana vaAroni vakagadzwa upristi vachiita zvokuzodzwa mafuta. Asi Nadhabhu naAbhihu vakafa pavakapisira Tenzi rusenzi pamoto usingabvumirwe vari kurenje reSinai. Vakafa vasina kumboita vana. Saka Ereazari naItamaru ndivo vaiita basa roupristi pamwechete naAroni, baba wavo. Mwari akataurira Mosesi achiti, “Unganidza vanhu vedzinza raRevhi uvaise pana Aroni uvape basa rokubatsira Aroni mupristi. Ngavaite mabasa ose omutendhe rinoera vachishandira Aroni negungano rose. Ngavachengete zvose zvomutendhe rokusanganira vachiitira vaIsiraeri mabasa ose omutendhe rinoera. Kubva mukati mavaIsiraeri vose unofanira kuturira vaRevhi mumaoko aAroni navanakomana vake vanofanira kunyatsopirwa kwaari. Gadza Aroni navanakomana vake kuti vaite mabasa avo oupristi, asi kana mumwe munhu zvake akaswedera ngaaurayiwe.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chinzwa, ndasarudza vaRevhi kuti vave vanhu vangu panzvimbo yavose vanotanga kuberekwa, matangwe, pakati pavaIsiraeri. Saka vaRevhi vava vangu. Ndinodaro nokuti kubvira musi wandakarakasha matangwe ose eIjipiti ndakanga ndazvitsaurira matangwe ose omuIsiraeri kuti ave angu, kubvira matangwe avanhu neemhuka, ndeangu. Ndini Tenzi.” Tenzi akataurira Mosesi murenje reSinai achiti, “Verenga vanakomana vaRevhi nedzimba dzamadzibaba avo, mhuri nemhuri, munhurume wose kubvira parusvava rune mwedzi mumwechete zvichikwira.” Naizvozvo Mosesi akavaverenga sezvakanga zvataurwa naMwari. Ava ndivo vana vaRevhi, kunoti Gerishoni naKohati naMerari. Aya ndiwo mazita avana vaGerishoni nemhuri dzavo kune yaRibhini neyaShimei. VokwaKohati nemhuri dzavo ndevaAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri. Vana vokwaMerari nemhuri dzavo ndevaMahiri naMushi. Idzi ndidzo mhuri dzavaRevhi, mudzimba dzamadzibaba avo. VokwaGerishoni vaisanganisira mhuri yavaRibhini neyavaShimei. Idzodzi ndidzo mhuri dzokwaGerishoni. Uwandi hwavanhurume vavo vakaverengwa vaye kubvira parusvava runo mwedzi mumwechete zvichikwira, vaisvika zviuru zvinomwe zvina mazana mashanu. Vemhuri yaGerishoni ndivo vaizodzika matendhe avo kuseri kwetendhe rinoera nechokumadokero. Eriasafu mwanakomana waRaeri anenge ari mutungamiriri wemhuri yaGerishoni. Patendhe rokusanganira, basa remhuri yaGerishoni nderokuchengeta tendhe rinoera, namachira okudzikatirisa nejira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rokusanganira, namachira okudzikatirisa ruvanze rwomukati metendhe rinoera, nejira rokudzikatirisa pamusuo weparuvanze rwakatenderera tendhe rinoera, neatari, netambo dzaro, nebasa rose repo. VokwaKohati vaisanganisira mhuri yaAmuramu nemhuri yaIzhari neyaHebhuroni neyaUzira. Idzodzi ndidzo mhuri dzaKohati. Uwandi hwavanhurume vose vakaverengwa vaye kubvira parusvava rune mwedzi mumwechete zvichikwira, vaisvika zviuru zvisere zvina mazana matanhatu. Ava ndivo vaiva vachengeti vetendhe. Vemhuri yaKohati ndivo vaizodzika matendhe avo kumaodzanyemba kwetendhe rinoera. Erizafani mwanakomana waUzieri anenge ari mutungamiriri wemhuri yaKohati. Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta bhokisi rechitenderano netafura nechigadziko chomwenje nedziatari mbiri nemidziyo yaishandiswa mumupanda unoera neketeni rechidzikatiro nezvose zvebasa razvo. Ereazari mwanakomana womupristi Aroni, ndiye aiva mutungamiriri wavaRevhi vose. Ndiye aiva mutariri wevose vaiita mabasa mutendhe rinoera. Merari ndiye tateguru wemhuri yaMahiri neyaMushi. Iwaya ndiwo madzinza okwaMerari. Uwandi hwavanhurume vavo vaikwana zviuru zvitanhatu namazana maviri kubvira pavana vano mwedzi mumwechete. Vanhu vose vemhuri yaMerari ngavadzike matendhe avo zvichienda nechokuchamhembe kwetendhe rinoera. Zurieri mwana waAbhihairi ndiye aiva mutungamiriri wemhuri dzamadzibaba avo. Vemhuri yaMerari ndivo vakapiwa basa rokuchengeta zvemapango etendhe rinoera nembariro, nembiru dzaro nezvigadzikiro nezvose zvinofambirana nazvo. Ndivo vaiita basa rose raienderana nezvinhu izvozvi. Ndivo vaichengetawo mbiru nezvigadzikiro nehoko netambo zvokukomberedza ruvanze. Vaizodzikawo matendhe avo pamberi petendhe rinoera, kumabvazuva pakatarisana netendhe rokusanganira nechokumabvazuva ndiMosesi naAroni navanakomana vake. Zvemipiro yomunzvimbo inoera zvaiva mumaoko avo zvose zvaifanira kuitirwa vaIsiraeri. Mumwewo munhuwo zvake anofemera kuita basa iroro ngaaurayiwe. Vose vedzinza rekwaRevhi vakaverengwa naMosesi naAroni mhuri nemhuri sokurayirwa kwavakaitwa naTenzi. Uwandi hwavanhurume kubvira pavana vano mwedzi mumwechete zvichienda mberi vaiva makumi maviri ezviuru ane zviuru zviviri. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Verenga matangwe ose echirume pakati pavaIsiraeri, kubvira parusvava runo mwedzi mumwechete zvichikwira, unyore mazita avo ose. Zvino panzvimbo yamatangwe avaIsiraeri iwaya namatangwe ezvipfuwo zvavo, nditsaurire vaRevhi kuti vave vanhu vangu, ini Tenzi.” Naizvozvo Mosesi akaverenga matangwe iwaya ose pakati pavaIsiraeri sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Matangwe echirume ose akaverengwa kubvira parusvava runo mwedzi mumwechete zvichikwira, aisvika makumi maviri ezviuru ane zviuru zviviri zvina mazana maviri ana makumi manomwe navatatu. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zvino panzvimbo yamatangwe avaIsiraeri, nditsaurire vaRevhi. Panzvimbowo yamatangwe ezvipfuwo zvavo, nditsaurire matangwe ezvipfuwo zvavaRevhi. VaRevhi vachava vangu ini Tenzi. Zvino kuti udzikinure matangwe mazana maviri namakumi manomwe avaIsiraeri huri ihwo uwandi hwavanopfuura nahwo kuwanda kwakaita vaRevhi makumi manomwe navanhu vatatu. Naizvozvo vana vakapfuuridza ivavo ngavadzikinurwe. Mumwe nomumwe wevana ivavo anofanira kudzikinurwa nemari yesirivha iri pamurao yomunzvimbo inoera. Mari yokudzikunura vanhu vakapfuuridza ivava, ngaipiwe Aroni navanakomana vake.” Saka Mosesi akatora mari yakadzikinuriswa vaya vakanga vapfuuridza pauwandi hwavaRevhi. Akaunganidza mari inoita chiuru chimwechete china mazana matatu ana makumi matanhatu ane shanu emari yesirivha iri pamurao yomunzvimbo inoera. Mosesi akapa mari iya yavakadzikinuriswa nayo kuna Aroni navanakomana vake sokutaurirwa kwaakanga aitwa naTenzi. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Verengai vaRevhi vemhuri yokwaKohati, muverenge vanhu, vose mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo. Verengai vanhurume vose vana makore makumi matatu neanopfuura kune vane makore makumi mashanu vanobvumirwa kushanda mutendhe rinoera. Iri ndiro basa revanakomana vaKohati mutendhe rokusanganira nderezvezvinhu zvinoeresesa zvomo.” Kana nguva yokutamisa matendhe yasvika, Aroni nevanakomana vake ngavapinde mutendhe iroro, vaturure jira rokudzikatirisa riri pakatarisana nebhokisi rechitenderano, vafukidze naro bhokisi rechitenderano. Ngavatore dehwe retahashi vafukidze naro pamusoro pejira iroro, vawaridze jira reruvara rwedenga pamusoro pedehwe iroro, vapfekere mapango okutakurisa bhokisi rinoera. Ngavawarire jira reruvara rwedenga patafura yechingwa chepana Mwari, varongedzere pajira iroro ndiro namadhishi orusenzi nemidziyo yokuisa zvinopirwa, nemidziyo yomupiro nezvokunwa. Chingwa chepana Mwari chinofanira kuva ipapo nguva dzose. Ngavatore jira dzvuku vafukidze naro midziyo iyoyo yose, vaise dehwe retahashi pamusoro payo, vapfekere mapango okutakurisa tafura iyoyo. Ngavatore jira reruvara rwedenga vaputire chigadzikiro chomwenje pamwechete namarambi acho nezvokuadzimisa netireyi dzesimbi, nemidziyo inochengeterwa mafuta eorivhi. Ngavachiputire pamwechete nemidziyo yacho yose mudehwe retahashi, vagadzikire zvose pamapango okutakurisa. Ngavawarire jira reruvara rwedenga paatari yendarama, vaiputirewo nedehwe retahashi, vapfekere mapango okutakurisa atari iyoyo. Ngavatore jira reruvara rwedenga vaputire midziyo yose inoshandiswa munzvimbo inoera vaise dehwe rakanyatsosukutwa pamusoro payo, vagadzike izvozvo pamapango okutakurisa. Ngavabvise dota paatari, vawarire jira dzvuku pairi, varongedze pajira iroro midziyo yose yepaatari inoti mabisiro neforogo nefoshoro nembenge nemidziyo yose yepaatari. Ngavaifukidze nedehwe retahashi, vapfekere mapango okuitakurisa. Kana Aroni navanakomana vake vapedza kurongedza nokuputira zvose panotamiswa tendhe rinoera, vanhu vemhuri yokwaKohati vanozouya kuzotakura zvinhu zvinoera. Asi ngavarege kubata zvinhu zvinoera nokuti vangadaro vakafa. Ndiwo mabasa anoitwa navanhu vemhuri yokwaKohati mutendhe rokusanganira. Ereazari mwanakomana womupristi Aroni, ndiye ane basa rezvemafuta okuisa mumarambi, norusenzi noupfu hwomipiro yembesanwa, namafuta okuzodzesa nezvimwe zvose zvomutendhe rinoera nemidziyo yemo. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Musaite kuti vemba yokwaKohati vatsakatike pakati pedzinza raRevhi. Zvino, kuti vararame varege kufa pavanouya pedyo nezvinhu zvinoera zvamuchaita kwavari ndezvizvi; Aroni navanakomana vake vachapindamo vovagovera mabasa okuita. Asi ngavarege kupindamo vachitarisa zvinhu zvinoera kana kwekanguva kaduku zvako kuti varege kufa.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Verenga vanhu vemhuri yokwaGerishoni verenga vanhu vose, mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo, vanhurume vose kubvira pana vana makore makumi matatu zvichikwira kusvikira pana vana makumi mashanu, vanokwanisa kushanda mutendhe rokusanganira. Iri ndiro basa remhuri dzokwaGerishoni pavanoshanda nokutakura zvinhu. Ndivo vanotakura machira maviri okudzikatirisa tendhe rokusanganira needenga rayo, romukati nerapamusoro, nedehwe rembudzi rokufukidza padenga paro nejira rokudzikatirisa repamusuo, namachira okudzikatirisa ruvanze rwomukati metendhe rinoera, nejira rokudzikatirisa pamusuo wokupinda muruvanze mune atari, netambo dzayo, nemidziyo yose yebasa ravo. Vanofanira kuita basa rose rinodiwa pazviri. Basa rose richaitwa nevekwaGerishoni ibasa ravanenge vatumwa naAroni nevana vake, zvose zvavanotakura nazvose zvavanoita. Ndimi muchavapa basa rokutakura. Saka mabasa iwaya ndiwo avanhu vemhuri yokwaGerishoni avanoita mutendhe rinoera. Vachaaita vachitungamirirwa naItamaru mwanakomana womupristi Aroni. “Verenga vaRevhi vemhuri yokwaMerari uchiverenga vanhu vose mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo. Verenga vanhurume vose kubvira pana vana makore makumi matatu zvichikwira kusvikira pana vana makumi mashanu vanokwanisa kushanda mutendhe rokusanganira. Iri ndiro basa ravo rokutakura ndiro basa rose mutendhe rokusanganira basa rokutakura mbiru nezvigadziko namapango nembariro zvetendhe rokusanganira, nembiru dzenhandare yose kuitenderedza nezvigadzikiro zvadzo nehoko netambo nenhumbi dzavo nezvose zvadzinoshanda nadzo. Iri ndiro basa revemba yokwaMerari, basa rose ravanoita mutendhe rokusanganira. Vachariita vachitungamirirwa naItamaru mwanakomana womupristi Aroni.” Mosesi naAroni navatungamiriri vegungano ravaIsiraeri vakaverenga vanhurume vemba yokwaKohati, mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo, kubvira pana vana makumi matatu amakore zvichikwira kusvikira kuna vana makumi mashanu, vose vaikwanisa kuita basa romutendhe rokusanganira. Pamhuri dzavo dzose vaikwana zviuru zviviri namazana manomwe ana makumi mashanu avanhu. Ihwohwu ndihwo uwandi hwevemba yokwaKohati, vose vaiita basa remutendhe rokusanganira vaya vakaverengwa naMosesi naAroni sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Vechirume vemba yokwaGerishoni vakaverengwa, mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo, kubvira pana vana makumi matatu amakore zvichikwira kusvikira kuna vana makumi mashanu, vose vaikwanisa kuita basa romutendhe rokusanganira. Pamhuri dzavo dzose nedzimba dzamadzibaba avo vaikwana zviuru zviviri namazana matanhatu ana makumi matatu avanhu. Ihwohwu ndihwo uwandi hwevemba yokwaGerishoni, vose vaiita basa romutendhe rokusanganira vakaverengwa naMosesi naAroni sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Vanhurume vemba yokwaMerari vakaverengwa, mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo, kubvira pana vana makumi matatu amakore zvichikwira kusvikira kuna vana makumi mashanu, vose vaikwanisa kuita basa romutendhe rokusanganira. Pamhuri dzavo dzose nedzimba dzemadzibaba avo vaikwana zviuru zvitatu namazana maviri. Ihwohwu ndihwo uwandi hwevechirume hwevemba yokwaMerari vakaverengwa naMosesi naAroni sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. VaRevhi vose zvavo vakaverengwa naMosesi naAroni navatungamiriri vavaIsiraeri, vaiverengwa mhuri nemhuri, nedzimba dzamadzibaba avo. Vaibvira kuverenga pana vana makumi matatu amakore zvichikwira kusvikira kuna vana makumi mashanu, vose vaikwanisa kupinda basa rokushanda nokutakura mitoro yomutendhe rokusanganira. Vose vakaverengwa vaikwana zviuru zvisere namazana mashanu ana makumi masere avanhu. Vose vakaverengwa sokutaurirwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Mumwe nomumwe akapiwa basa rokuita kana kuudzwa zvokutakura, ndokuverengwa kwavakaitwa sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Taurira vaIsiraeri kuti ngavaburitse kunze kwamatendhe munhu ane chirwere cheganda chakaipisisa naane zvinobuda mumuviri wake naanenge an'oreswa nokubata chitunha. Vanhu vakadai, varume kana vakadzi vaburitsei kunze kwematendhe kuti varege kun'oresa nzvimbo yake yose yematendhe mandinogara.” VaIsiraeri vakaita saizvozvo vakavaburitsa kunze kwematendhe avo sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti kana munhu atadzira mumwe, munhu iyeyu atopesana naTenzi. Munhu akadaro ngaareurure chitadzo chake aripe mhosva yacho nokubvisa muripo wayo agowedzera makumi maviri pazana roga roga raanofanira kuripa. Kana munhu anogamuchira muripo iwoyo akafa pasinawo hama yake yomumba ingaugamuchira, ngaupiwe Tenzi kuti uzoshandiswa navapristi. Muripo iwoyo ndowokuwedzera pahondohwe inourayiwa panoitwa mupiro wokuripira chitadzo chake. Zvipo zvose zvavaIsiraeri nezvose zvavanenge vaturira kuna Mwari vachizviunza kumupristi ndezvomupristi. Chinhu chipi nechipi zvacho chinenge chaturirwa kuna Mwari nomunhu, chose chose zvacho chinenge chapiwa mupristi nomunhu ndechomupristi iyeyo pachake.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri izvi: Ngatiti mukadzi womunhu aita unzenza hwokusatendeka kumurume wake, mumwe murume akarara naye zvikasazivikanwa nomurume wake, pasina amuona, asiye akazvin'oresa. Saka hakuna angamupomere mhosva uye panenge pasina chapupu nokuti anenge asina kubatwa achizviita. Ngatiti murume iyeyo afungidzira mukadzi wake akazvin'oresa, kana kuti mweya wokufungira unouya paari asi mukadzi wake asina kuzvin'oresa, pakadaro murume ngaaende nomukadzi wake kumupristi. Ngaauye nechibayiro chinodiwa kuti chipirwe iye cheupfu hwebhari hunorema kirogiramu rimwechete. Asi ngaarege kuisa mafuta eorivhi muupfu ihwohwo, kana kuhuisa rusenzi nokuti iwoyo mupiro wembesanwa weshanje, unoreva kuti pakaparwa mhosva inofanira kuyeukwa. “Mupristi ngaaunze mukadzi iyeyo andomumisa pamberi paTenzi. Mupristi ngaadire mvura inoera mumudziyo wevhu, anokore ivhu romutendhe rinoera ariise mumvura iya. Mupristi ngaamise mudzimai iyeyo pamberi paTenzi ngaarudunure vhudzi romukadzi iyeyo, amubatise mumaoko upfu hwemupiro wembesanwa weshanje unoreva kuti paparwa mhosva inofanira kuyeukwa. Mupristi ngaabate mumaoko ake mbiya iya ine mvura inozhurungunda kuvava yokurengeresa rushambwa. Mupristi iyeyo ngaaite kuti mukadzi uya apike mhiko yokuti, ‘Kana usina kutorana nomumwe murume kana usina kutsaukira kunezvakan'ora uri mumaoko omurume wako mvura iyoyi yokurengeresa nayo rushambwa ngairege kuwana chainokuita.’ Asi kana wakaita zvako zvounzenza, iwe uri mumaoko omurume wako, uyezve kana iwe wakazvin'oresa uchitorana nomumwe murume asiri murume wako, pakadai mupristi ngaatsidzire mukadzi iyeyo rushambwa achiti kumudzimai, ‘Tenzi ngaaite kuti urengererwe pakati pavanhu vakwako uzvimbe dumbu, upfudzike pamuviri.’ Mukadzi iyeyo ngaadaire achiti, ‘Ameni, ngazvive saizvozvo.’ “Mvura iyi inopa rushambwa ngaipinde nomudumbu mako, muviri wako uzvimbe, upfudzike pamuviri. “Mukadzi iyeyo ngaati, ‘Ameni, ngazvive saizvozvo.’ “Mupristi ngaanyore kurengerera rushambwa ikoku, mubhuku asukire zvanyorwa zviya mumvura iya inozhurungunda kuvava. Mupristi ngaamwise mudzimai mvura iyoyo inozhurungunda yokurengeresa. Mvura iyoyo yokurengeresa rushamba ichapinda maari igomurwadzisa zvakanyanya. Mupristi ngaatore upfu hwemupiro weshanje pamaoko emudzimai iyeyo ahusumudzire kuna Tenzi achipira mupiro wembesanwa paatari. Mupristi ngaanokore tsama yahwo yechirango ahupise paatari. Shure kwaizvozvo ngaanwise mukadzi iyeyo mvura iya. “Mupristi kana achinge amunwisa mvura iya, kana mukadzi iyeyo achinge akazvin'oresa asina kutendeka kumurume wake, mvura yokurengeresa rushambwa ichamupinda igomurwadza zvakaipisisa. Ichafufumisa muviri wake kuzvimba, achazvimba dumbu agopfudzika pamuviri; achave munhu akarengererwa rushambwa pakati pavanhu vokwake. Asi kana mukadzi iyeyo asina kuzvin'oresa akachena, hapana chinomuwana, uye achava nembereko zvake. “Uyu ndiwo murao wakanangana nezveshanje, kana mudzimai achinge atsauka aita zvounzenza zvake achizvin'oresa, iye ari mumaoko omurume wake, uye kana murume apindwawo nomweya weshanje, oitira mukadzi wake shanje. Ngaaunze mukadzi wake pana Tenzi, mupristi aite kune mukadzi iyeyo zvose zvinorehwa nomurawo uyu. Murume wake achashamba mhosva iyi maoko, asi mukadzi iyeyo achawana mubairo wouipi hwake.” Tenzi akati, “Iti kuvaIsiraeri kana munhurume kana munhukadzi akaita mhiko inokosha achipikira kuva muNaziri achizviturira kunaTenzi, ngaarege kunwa waini kana doro. Ngaarege kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nedoro kana kunwa muto kana kudya magirepisi manyoro kana akaomeswa. Mazuva aanenge ari muNaziri ngaarege kudya chinobva pamuti womugirepisi kunyange mhodzi dzamagirepisi kana ganda rawo. “Mazuva ose aanenge akazvipikira kuva muNaziri ngaarege kuveurwa vhudzi, kana ndebvu dzake nokuti akazviturira kuna Tenzi. Saka ngaarege vhudzi rake richireba. Pamazuva iwayo ose aakazvipira kuna Tenzi ngaarege kusvika pedyo nechitunha, chingave chitunha chababa vake kana amai vake kana chomukoma kana munun'una wake, kana chehanzvadzi yake kana vakafa haafaniri kunzvin'oresa chiratidzo chokuzvipira kwake chiri pamusoro wake. Mazuva ake ose ouNaziri anenge ari munhu akaturirwa kuna Tenzi. “Kana munhu akakaruka afira pedyo nomuNazari musoro womuNaziri iyeyo unobva wan'oreswa. Ngaaveure musoro wake pazuva rake rokuzvichenura pazuva rechinomwe. Pazuva rorusere, ngaaunze njiva mbiri kana hangaiwa mbiri kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira. Mupristi ngaapire imwe yadzo achiita chibayiro chokupirira zvitadzo; imwe yadzo yove yechibayiro chokupisa achichenura muNaziri mukun'oreswa kwaanenge aitwa nechitunha. Pamusi iwoyo ngaaturire zvakare musoro wake kuna Tenzi. Ngaazvitsaurire Tenzi kwamazuva ose aakanga ati anozvitsaurira Mwari. Ngaaunze hwayana ine gore rimwechete yomupiro wokuripa mhosva. Mazuva ake aye okutanga haana basa, nokuti kuzvipira kwake kouNaziri kwakan'oreswa. “Uyu mutemo unosunga muNaziri kana mazuva ake okuzvipira asvika kumagumo, ngaauye kumusuo wetendhe rokusanganira, apire zvipo zvake kuna Tenzi hwayana hono ine gore rimwechete isina chinoshoreka yomupiro wokupisa, nehwayana hadzi ine gore rimwechete isina chinoshoreka yomupiro wokupfupira zvitadzo, nehondohwe isina chinoshoreka yechibayiro chomupiro wokuwadzana. Ngaapirewo tswanda yezvingwa zvisina mbiriso, nezvingwa zvikobvu zveupfu hwakanyatsokuyiwa hwekoroni hwakakanywa namafuta eorivhi, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta eorivhi pamwechete nomupiro wembesanwa nomupiro wezvokunwa. “Mupristi ngaauye nazvo zvose kuna Tenzi apire nomupiro wake wokupfupira zvitadzo zvake mupiro wake wokupisa. Ngaapire hondohwe yechibayiro chomupiro wokuwadzana kuna Tenzi netswanda yezvingwa zvisina mbiriso. Mupristi ngaapire nomupiro wembesanwa nemupiro wawo wezvokunwa kuna Tenzi, kumusuo wetendhe rokusanganira, aveure vhudzi rake rakamboturirwa kuna Mwari atore vhudzi mumusoro wake wakapirwa kuna Mwari ariise mumoto unenge uri pasi pechibayiro chokuwadzana. “Kana bandauko rehondohwe iya rabikwa mupristi ngaaritore pamwechete nechingwa chisina mbiriso nechingwa chitete chomutswanda chiya, ape zvose muNazari uya aveura vhudzi rake rokuzvipira kuna Tenzi. Mupristi ngaazviite mupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi. Mugove unoera womupristi pamwechete nechityu chinosimudzwa nechidya chinopirwa. Kana zvose izvozvo zvapera muNazari angachinwa zvake waini. “Iwoyu ndiwo murao unonangana nomuNazari anenge apika mhiko. Kuzvipira kwake kuna Tenzi somuNazari ngakuchengetwe maererano nemhiko yake. Asi kana pane zvimwewo zvaanokwanisa kuita ngaaite zvake. Asi zvouNazari hwake ihwohwo anofanira kuzvichengeta nomazvo.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Taurira Aroni navanakomana vake kuti kana vava kukomborera vaIsiraeri ngavataure vachiti: “Tenzi ngaakukomborerei akuchengetei Tenzi ngaakucheukei akunzwirei tsitsi Tenzi ngaakutarisei akupei rugare. “Kana vakadoma zita rangu pavanokomborera vaIsiraeri, ini ndichavakomborera.” Mosesi akati apedza kumisa tendhe rinoera akarizodza akariturira kuna Mwari pamwechete nezvose zvomo akazodza akaturirawo atari nemidziyo yayo. Vatungamiriri vavaIsiraeri navatungamiriri vavo vedzimhuri nevemadzinza vaitungamirira kuverengwa kwavanhu, vakauya nezvipo zvavo kuna Tenzi. Zvaiva ngoro nhanhatu dzakafukidzwa uyewo nzombe gumi nembiri. Vatungamiriri vaviri vaiunza ngoro imwechete, mumwe nomumwe wavo achiunza nzombe imwechete. Vakazviunza kutendhe rinoera Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Gamuchira izvi kwavari zvishandiswe pabasa romutendhe rinoera. Upe zvinhu izvozvo mumwe nomumwe wavaRevhi maererano nebasa raanoita.” Naizvozvo Mosesi akatora ngoro dziya nenzombe akapa vaRevhi. Akapa vemhuri yokwaGerishoni ngoro mbiri, nenzombe ina maererano nebasa ravaiita. Akapa vemhuri yokwaMerari ngoro ina nenzombe tsere maererano nebasa ravaiita vachitungamirirwa naItamaru mwanakomana womupristi Aroni. Asi hapana chaakapa vemhuri yokwaKohati nokuti ndivo vaiva nebasa rezvinhu zvinoera zvaifanira kutakurwa pamafudzi. Vatungamiriri vakauyawo nezvipo zvokupira nazvo atari kuna Mwari pazuva rayakazodzwa, vakauya nazvo kuatari. Tenzi akataurira Mosesi kuti vanhu ivavo, ngavauye kuzopira zvipo zvavo zvokuturira atari kuna Mwari vachiita mumwechete, mumwechete pazuva. Akapira mupiro wake zuva rokutanga ndiNahishoni mwanakomana waAminadhabhu wedzinza rokwaJudha. Mupiro wake waiva neizvi zvinoti: mbenge yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu, kwouya ndiro yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; kwoti dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu rina magiramu gumi rizere rusenzi; kwotiwo handira ichiri duku, imwechete, nehondohwe imwechete yomupiro wokupisa; uye gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; kuchizoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waNahishoni mwanakomana wavaAminadhabhu. Pazuva rechipiri racho, Nataneri mwanakomana waZuaru, mutungamiriri wevokwaIsakari, akapirawo mupiro. Mupiro wake waakapira waiva wezvizvi zvinoti: mbenge yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro yesirivha yairema mazana masere amagiramu, maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta omupiro wembesanwa; kwoti dhishi rendarama rairema zana ramagiramu rina magiramu gumi, rizere rusenzi; kwotiwo handira ichiri duku imwechete, nehondohwe imwechete, nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; uye gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; kwozoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu, dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waNataneri mwanakomana wavaZuaru. Pazuva retatu racho, akauya ndiEriabhu mwanakomana waHeroni, aiva mutungamiriri wavanhu govero rokwaZebhuruni. Mupiro wakewo waiva weizvi zvinoti: mbenge yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu, kwouya ndiro yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; kwouyawo dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu rina magiramu gumi, rizere rusenzi, kwoti handira ichiri duku imwechete, nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; kukati gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo, kuchizoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waEriabhu mwanakomana wavaHeroni. Pazuva rechina racho, kwakauyawo Erizuru mwanakomana wavaShedheuru, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaRubheni. Mupiro wake waiva wezvizvi zvinoti: mbenge yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwoti ndiro yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta, hwomupiro wembesanwa, kukati dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu rina magiramu gumi, rizere rusenzi, kwotiwo handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete, ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; kwotizve gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo kuchizouya zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu, dzine gore rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro waErizuru mwanakomana waShedheuru. Pazuva rechishanu racho, kwakauyawo Sherumieri mwanakomana waZurishadhai, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaSimeoni. Mupiro wake waiva wezvizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha, yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; uye ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; kwouya dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu rina magiramu gumi, rizere rusenzi; uyewo handira ichiri duku, imwechete nehondohwe imwechete, nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; uyezve gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; kukati zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro waSherumieri mwanakomana waZurishadhai. Pazuva rechitanhatu racho, kwakauya Eriasafu mwanakomana waDheueri, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaGadhi. Mupirowo wake waiva weizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; kwoti dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi, rizere rusenzi; kukati handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; kukachiti gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; kukatiwo zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waEriasafu mwanakomana waDheueri. Pazuva rechinomwe racho, kwakauyawo Erishama mwanakomana waAmihudhi, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaEfuraimu. Mupiro wake waiva wezvizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta omupiro wembesanwa; kwouyazve dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi, rizere rusenzi; kwoti handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; kwotiwo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; kukati zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyuwo ndiwo mupiro waErishama mwanakomana waAmihudhi. Pazuva rechisere racho, kwakauya Gamarieri mwanakomana waPedhahizuru, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaManase. Mupiro wakewo waiva wezvizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; kukati dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi, rizere rusenzi; kukachiti handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana honho imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; kuchiti gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; kuchizoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro waGamarieri mwanakomana waPedhahizuru. Pazuva rechipfumbamwe racho, kwakauya Abhidhani mwanakomana waGidheoni, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaBhenjamini. Mupiro wake waiva weizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; uye ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; uyewo dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi rizere rusenzi; uyezve handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; kwouya gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; kwozouya zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waAbhidhani mwanakomana waGidheoni. Pazuva rechigumi racho, kwakauyawo Ahiezero mwanakomana wavaAmishadhai, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaDhani. Mupiro wake waiva wezvizviwo zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu namagiramu gumi maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; uyewo dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi rizere rusenzi; uyezve handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; kwouyawo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; kwozouya zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waAhiezero mwanakomana waAmishadhai. Pazuva rechigumi nerimwe, kwakauya Pagieri mwanakomana waOkirani aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaAsheru. Mupiro wakewo waiva wezvizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; kukati dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi, rizere rusenzi; kuchitiwo handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; kuchiti gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; kuchizoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waPagieri mwanakomana waOkirani. Pazuva rechigumi namaviri racho, kwakauya Ahira mwanakomana waEnani, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaNafutari. Mupirowo wake waiva wezvizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; kwoti dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi, rizere rusenzi; kwouya handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; kwotiwo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; kwozouya zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waAhira mwanakomana waEnani. Uyu ndiwo mupiro wakaunzwa wokuteketerera atari kuna Mwari pazuva rayakazodzwa wakabviswa navakuru vakuru vavaIsiraeri. Kwakaunzwa izvi zvinoti mbenge dzesirivha gumi nembiri nendiro dzesirivha gumi nembiri; mbenge imwe neimwe ichirema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; ndirowo imwe neimwe ichirema mazana masere amagiramu. Naizvozvo pamwechete, midziyo yose yesirivha yakaita mwero wokurema unosvika makumi maviri amakirogiramu ana makirogiramu manomwe namagiramu makumi matanhatu, maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; kwouya madhishi endarama gumi namaviri aye azere rusenzi, dhishi rimwechete rairema zana ramagiramu namagiramu gumi; pamwechete, madhishi ose endarama akaita mwero wokurema unosvika kirogiramu rimwechete rina makumi matatu amagiramu namagiramu maviri; kwoti zvipfuwo zvose zvechibayiro chomupiro wokupisa zvinoti: handira gumi nembiri nehondohwe gumi nembiri nehwayana gumi nembiri hono dzine gore rimwechete pamwechete noupfu hwadzo hwomupiro wembesanwa; kwotiwo makotora gumi namaviri omupiro wokupfupira zvitadzo; kwochiti zvipfuwo zvose pamwechete zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvakaita: handira makumi maviri ane ina namakumi matanhatu ehondohwe namakotora makumi matanhatu namakumi matanhatuwo ehwayana hono dzine gore rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro wokuteketera atari kuna Mwari wakaunzwa iyo yazodzwa. Mosesi paakapinda mutendhe rokusanganira kundotaura naTenzi, akanzwa izwi raitaura kwaari richibva pahwidibiro yakanga yakakwidibira bhokisi rechitenderano, nechapakati pamakerubhu. Izwi iri rakataura kwaari iye. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza Aroni kuti paanondogadzika marambi, marambi manomwe anofanira kuvheneka akatarisa mberi kwechigadzikiro chomwenje.” Aroni akaita saizvozvo akagadzika marambi akatarisa mberi kwechigadzikiro chomwenje sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Chigadzikiro chomwenje ichocho chakanga chakagadzirwa sezvizvi chakanga chakagadzirwa nendarama yakapfurwa kubvira pagaro racho kusvikira kumapazi acho ose. Mosesi akaita chigadziko chomwenje ichocho achitevedzera mufananidzo waakanga aratidzwa naTenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Tsaura vaRevhi mukati muvaIsiraeri uvachenure. Zvauchaita kwavari kuti uvachenure ndezvizvi vasase mvura yokuchenura munhu. Uvati vaveure vhudzi remiviri yavo rose nokusuka hanzu dzavo vazvishambidze ivo pachavo. Naizvozvo vanobva vava vanhu vachenurwa. Ipapo ngavatore handira ichiri duku neupfu hwekoroni hwomupiro wembesanwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Iwe unozotora imwe handira ichiri duku yomupiro wokupfupira zvitadzo. Ukokorodze vaIsiraeri vose umise vaRevhi mberi kwetendhe rinoera. Paunoturira vaRevhi kwandiri Tenzi, vaIsiraeri ngavaise maoko avo pamusoro pavaRevhi, Aroni obva asimudzira maoko ake achiturira vaRevhi kwandiri Tenzi. VaRevhi ngavaise maoko avo pamisoro yehandira dziya. Imwe ndeyechibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo. Imwe yacho ichava yomupiro wokupisa inoitirwa kuchenura vaRevhi. Ita kuti vaRevhi vabatsire Aroni navanakomana vake. Naizvozvo vaite somupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi. Aya ndiwo matsauriro auchaita vaRevhi muvaIsiraeri vachibva vava vangu. Kana wachenura vaRevhi nokuvaturira kwandiri somupiro unosimudzirwa uchiturirwa Mwari vachava vanhu vanobvumirwa kuita basa romutendhe rokusanganira. Zvamakatsaura vaRevhi muvaIsiraeri muchivapa kwandiri zvachose vachitora nzvimbo yamatangwe evaIsiraeri, vaRevhi ndavasarudza kuti vave vangu. Matangwe ose mukati mavaIsiraeri ndeangu, ose avanhu neemhuka paya pandakauraya matangwe ose omuIjipiti ndipo pandakavatsaurira ini pachangu. Zvino ndava kuzotora vaRevhi panzvimbo yamatangwe avaIsiraeri. Ndakapa vaRevhi sechipo kuna Aroni navanakomana vake chakabva muvaIsiraeri kuti vaite basa mutendhe rokusanganira vachishandira vaIsiraeri nokuvadzivirira munjodzi dzingavawire kana vakaswedera munzvimbo inoera.” Saka Mosesi naAroni navaIsiraeri vose vakaturira vaRevhi kuna Tenzi sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. VaRevhi vakazvichenura kuzvitadzo, vakasuka hanzu dzavo. Aroni akasimudza maoko ake achivaturira kuna Tenzi. Aroni akapira mipiro yokuchenura vaRevhi. VaIsiraeri vakaita zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi pamusoro pavaRevhi. Mushure maizvozvo vaRevhi vakaenda kundoita basa ravo rokubatsira Aroni navanakomana vake mutendhe rokusanganira. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Iri ndiro basa ravaRevhi vose vanenge vava namakore makumi maviri namashanu navane anopfuura iwayo ngavaende kundoita basa romutendhe rokusanganira. Kana vava namakore makumi mashanu ngavazorodzwe kuita basa iroro vachirega kuita basa iroro. Ngavabatsire vamwe vavo vaRevhi kuita basa romutendhe rinoera. Asi ngavarege kuita basa iroro vari vose. Ndiwo murongero waunofanira kuita mabasa avaRevhi.” Tenzi akataurira Mosesi murenje reSinai pamwedzi wokutanga wegore rechipiri rokubuda kwavaIsiraeri munyika yeIjipiti achiti, “VaIsiraeri ngavachengete zuva guru rePasika panguva yayo yakatemwa. Richengetei pazuva regumi nechina romwedzi uno, kubvira zuva rodoka muchitevedza mirao nezvirongwa zvaro zvose.” Naizvozvo Mosesi akandoudza vaIsiraeri kuti vachengete zuva guru rePasika. VaIsiraeri vakachengeta zuva guru rePasika pamwedzi wechiposhi murenje reSinai kubvira zuva rodoka pazuva regumi nechina romwedzi iwoyo. Vakaita zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi. Asi kwakava navamwe varume vakanga van'ora nokuti vakanga vabata chitunha. Varume ivavo vakanga vasisakwanisi kuchengeta Pasika pazuva iroro. Vakaenda kuna Mosesi naAroni vakandoti, “Isu takan'ora nokuti takabata chitunha. Asi tinorambidzirweiko kupira Tenzi mipiro panguva yakatemwa pamwechete navamwe vedu vaIsiraeri.” Mosesi ndokuti, “Chimbomirai kusvikira ndanzwa zvandichapiwa naTenzi.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Taurira vaIsiraeri uchiti ani naani wenyu kana mumwe wechizvarwa chenyu anenge abata chitunha chikamun'oresa, nyangwe anenge ari kure, ari parwendo, kana achida kuchengeta Pasika yaTenzi, anofanira kuzoichengeta. Ngavaichengete mumwedzi wechipiri pazuva regumi nechina zuva rodoka, vaidye pamwechete nemiriwo inovava nechingwa chisina mbiriso, havafanire kusiya kana chii zvacho chayo kusvikira mangwana. Hapana pfupa rechibayiro rayo rinofanira kutyorwa. Ngavaichengete vachitevedza mirao yayo yose. Asi ani naani anenge asina kun'ora anenge asiri parwendo anenge arega kuchengeta Pasika atozvichekanisa ukama novokwake nokuti haana kundipa mupiro wake panguva yakatemwa, acharangirwa chitadzo chake. “Kana mutorwa wamugere naye akada kuchengeta zuva guru rePasika, ngaachengetewo mirao nezvirongwa zvayo zvose. Murao iwoyo ngauchengetwe nemunhu wose, muIsiraeri kana mutorwa.” Pazuva rakadzikwa tendhe rinoera gore rakauya rikafukidza tendhe rouchapupu. Usiku gore raitarisika somoto kusvikira kwaedza. Saka nguva dzose tendhe iroro rainge rakafukidzwa negore masikati, usiku nechainge moto. Paingosimuka gore iroro patendhe, vaIsiraeri vaibva vatama vachindodzika matendhe avo paraindomirira. Kutama kwavaIsiraeri panzvimbo nokudzika matendhe kwavo pane imwe nzvimbo kwaitoitwa kana kwabva shoko kuna Tenzi. Kwaiti gore rikaramba rakafukidza tendhe rinoera, vaIsiraeri vairambawo vakadzika matendhe avo ipapo. Kunyange gore parairamba rakafukidza tendhe rinoera kwenguva ndefu vaiteerera Tenzi vachiramba varipo. Dzimwe nguva gore raifukidza tendhe rinoera kwamazuva mashoma; vaIsiraeri vaitama kana kuramba varipo maererano neshoko rainge rabva kuna Tenzi. Dzimwe nguva gore raingorifukidza kubvira manheru kusvikira mangwanani. Paisimuka gore mangwanani vaibva vasimudzirao rwendo rwavo, kana rainge raramba riripo masikati nousiku; parainge razosimuka, ndopavaibva vasimudzirawo rwendo rwavo. Kana dai kwaipera mazuva maviri, kana mwedzi, kana gore kana nguva ndefu gore rakafukidza tendhe rinoera, vaIsiraeri vairamba vari pamatendhe avo, vasingasimudzire rwendo rwavo. Asi paraisimuka vaibva vasimudzira rwendo rwavo. Kudzika matendhe kwavo nokutama kwavo, kwaitoitwa kana kwabva shoko kuna Tenzi vachiteerera zvainge zvatemwa naTenzi sokutaurirwa kwainge kwaitwa Mosesi naTenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Pfurai mabhosvo esirivha maviri anoridzirwa vaIsiraeri kuti vaungane uyewo panguva yokuti vachitama. Kana kwaridzwa mabhosvo maviri vaIsiraeri vose ngavaungane kwaunenge uri kumusuo wetendhe rokusanganira. Asi kana kwaridzwa bhosvo rimwechete, vakuru vakuru vatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri ngavaungane kwaunenge uri. Kana mabhosvo aridzwa setsuri, madzinza akadzika matendhe awo kumabvazuva kwetendhe rinoera ngaasimuke atange rwendo. Kana mabhosvo aridzwa setsuri kechipiri, madzinza akadzika matendhe awo kumaodzanyemba kwetendhe rinoera ngaapinde munzira. Tsuri ngairidzwe nguva dzose dzavanosungirwa kutama. Asi kana zviri zvokuti vanhu vaungane ngakuridzwe mabhosvo asingaridzwi setsuri. Mabhosvo ngaaridzwe navanakomana vaAroni vapristi. “Kwamuri, murao wangu wezvemabhosvo, murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose. Kana mava kuenda kundorwisa vavengi venyu vanenge vakudenhai munyika yenyu, chamunozivisa nacho kuti tava kundorwa, kuridza bhosvo kuti ini Tenzi Mwari wenyu ndigokuyeukai ndikununurei pavavengi venyu. Pamazuva enyu okufara, napamazuva enyu makuru, napakupemberera kugara kwemwedzi mitsva, namamwewo mazuva enyu makuru, ridzai mabhosvo iwayo. Aridzeiwo pamunouya nemipiro yokuwadzana. Ipapo ini Mwari ndichakuyeukai. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro.” Pazuva ramakumi maviri romwedzi wechipiri mugore rechipiri rokubva kwavaIsiraeri kuIjipiti; gore riya rakanga rakafukidza tendhe rechitenderano rakasimudzwa. VaIsiraeri vakasimuka pagwenga reSinai, vakafamba rwendo rwavo vachimbomira, nzvimbo nezvimbo. Gore riya rakandomira murenje reParani. Vanhu vakatangisa kufamba sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Vanhu vomureza wedzinza raJudha ndivo vakatanga kufamba vari mumapoka avo. Vaitungamirirwa naNahishoni mwanakomana waAminadhabhi. Aitungamirira dzinza rokwaIsiraeri ndiNetaneri mwanakomana waZuari. Aitungamirira dzinza rokwaZebhuruni ndiEriabhu mwanakomana waHeroni. Paibviswa tendhe rinoera mhuri yokwaGerishoni neyokwaMerari vaitakura tendhe rinoera vaitakura vachibva vatangisa kufamba. Vaiteverwa nevanhu vedzinza rokwaRubheni vari mumapoka avo. Vaitungamirirwa naErizuru mwanakomana waShedheuri. Sherumieri mwanakomana waZurishadhai ndiye aitungamirira dzinza rokwaSimeoni. Eriasafi mwanakomana waDheueri ndiye aitungamirira dzinza rokwaGadhi. Vemhuri yokwaKohati vaibva vapindawo munzira vakatakura zvinhu zvinoera. Tendhe rinoera raifanodzikwa vasati vasvika. Vanhu vomureza wedzinza rokwaEfuremu, vaiteverawo vari mumapoka avo. Vaitungamirirwa naErishama mwanakomana waAmihudhi. Dzinza rokwaManase raitungamirirwa naGamarieri mwanakomana waPedhazuru. Dzinza rokwaBhenjamini raitungamirirwa naAbhidhana mwanakomana wokwaGideoni. Vanhu vomureza wedzinza raDhani, ndivo vaipedzisera kusimuka, vachitsigira vari shure, vari mumapoka avo. Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai ndiye aivatungamirira. Pagieri mwanakomana waOkirani ndiye aitungamirira dzinza rokwaAsheri. Dzinza rokwaNafutari raitungamirirwa naAhira mwanakomana waEnani. Aya ndiwo mafambiro aiita vaIsiraeri vari mumapoka avo pavainge vopinda murwendo rwavo. Mosesi akataura naHobhabhi mwanakomana waReueri, vatezvara vake vorudzi rwavaMidhiani achiti, “Zvino tava kuzopinda murwendo rwokuenda kunyika yatakanzi naTenzi tichazopiwa. Mwari akatsidzira vaIsiraeri kuti vachabudirira. Saka handei tose. Tichazokupaiwo pfuma yatichawana taveko.” Hobhabhi ndokuti, “Kwete! Handiendi nemi. Asi ndichadzokera kunyika yangu kune hama dzangu.” Mosesi akati, “Ndapota musatisiye. Imi munoziva kwatingandodzika matendhe murenje. Ndimi mungatotitungamirira. Kana mukaenda nesu tichazokamurirana makomborero ose atichapiwa naTenzi.” VaIsiraeri pavakabva pagomo raTenzi riya vakafamba mazuva matatu. Bhokisi rechitenderano chaTenzi rakafanotungamira mazuva matatu kundovatsvakira pokudzika matendhe avo. Masikati gore raTenzi rainge riri pamusoro pavo pavaibva panzvimbo imwe neimwe yavainge vadzika matendhe avo. Paitangisa bhokisi rechitenderano kufamba, Mosesi aiti, “Tenzi wee! Simukai vavengi venyu vaite chimwandamwanda, vanokuvengai vakutizei.” Parainge razomira Mosesi aiti, “Tenzi! Chidzokai kune zviuru nezviuru zvavaIsiraeri.” VaIsiraeri vakanyunyuta pamusana penhamo dzavo Tenzi achizvinzwa. Tenzi paakazvinzwa akaviruka nehasha. Akavatumira moto wakaita chibvurebvure uchipisa matendhe avo okumucheto. Vanhu ndokubva vachema kuna Mosesi. Mosesi akanamata kuna Tenzi moto ukadzima. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakanzi Tabhera nokuti moto waTenzi wakanganduma pakati pavo. VaIsiraeri pavaifamba rwendo rwavo vaivao mvongamutititi yavanhu. Vanhu ivavo vaikara nyama zvikuru. VaIsiraeri ndokunyunyutawo vachiti, “Dai tangowanawo zvedu nyama! Tinorangarira hove dzamahara dzataidya kuIjipiti, namagaka namanwiwa namarikisi nehanyanisi negariki. Zvino miviri yedu yarukutika. Hapana chimwe chokudya kana chii zvacho kunze kwemana iyoyi yatangotarisana nayo.” Mana yakanga yakafanana netsanga dzamapfunde, yakaita sepfuta kuchenuruka. Vanhu vaienda muruvanze vachindonongera mana. Vaiikuya, kana kuidzvura, voifashaidza mupoto vozoibika chingwa chainaka sechingwa chakabikwa chakakanywa namafuta. Dova paraidonha usiku muruvanze rwamatendhe mana yaidonhawo pamwechete naro. Mosesi akanzwa vanhu vemhuri dzose vachinyunyuta vamire mutumapoka pamisuo yematendhe avo. Tenzi akavirukira vanhu zvikuru nehasha. Mosesi akasuwa zvikuru. Mosesi akati, “Nhai Tenzi! Imhaka yeiko makandiitira zvakaipa zvakadai? Seiko musingandinzwire tsitsi? Ko zvamatondipazve basa rokutungamirira vanhu vose ava? Ko ndini ndakavabereka kana kuvasika here zvamunoti ndivarere ndichivatakura mumaoko angu somureri anotakura mwana mucheche ndichienda navo kunyika yamakatsidzira madzibaba avo? Ko nyama yandingape vanhu vose ava ndingaiwane kupiko, zvavari kuchema vachiti tipe nyama tidye? Ini handichagoni kuita basa rokutungamirira vanhu ava ndiri ndoga, zvandiremera. Kana mukaramba muchiti ndidaro, ndinzwireiwo tsitsi mundiuraye zvenyu kuti ndirege kuramba ndakatsunga imi muchindirwadzisa.” Tenzi akati Mosesi, “Ndiunganidzire vanhu varume makumi manomwe vechikuru navatungamiriri vavaIsiraeri. Uya navo kwandiri kutendhe rokusanganira vasvikomira newe. Ndichaburuka ndichauya ndizotaura newe ikoko. Pamweya wandakakupa, ndichatora mumwe waunawo ndichiupa kwavari. Naizvozvo ivo vachazokubatsira kuita basa rokutungamirira vanhu. Ipapo hauzotakuri basa iroro oga. Zvino chiudza vanhu uchiti, ‘Zvichenurei nokuti mangwana muchapiwa nyama yokudya. Tenzi akazvinzwira kunyunyuta kwenyu, muchiti ndiani angatipewo zvedu nyama yokudya muchiti taiva nani zvedu kuIjipiti.’ Zvino Tenzi achakupai nyama kuti mudye. Hamuzoidya kwezuva rimwechete, kana maviri kana mashanu, kana gumi, kunyange makumi maviri. Asi muchadya mwedzi wose, kusvikira yava kubuda nomumhuno dzenyu, yava kukufinhai. Izvozvo zvichaitika nokuti makaramba Tenzi ari pakati penyu. Makamunyunyutira muchiti takabudirei zvedu Ijipiti.” Mosesi ndokuti kuna Tenzi, “Ini ndiri kutungamirira mazana matanhatu ezviuru zvavanhu. Ndovamungati imi mungavape nyama yavanokwana kudya mwedzi wose? Ko mombe nehwai dzakakwana dzinowanika kupi dzingabayiwe kuti vawane nyama yavanokwana? Ko hove dzose dzomugungwa kunyange vakadziunganidzirwa vangakwane here?” Tenzi ndokuti, “Ko kune chii chingatadze kuitwa nesimba rangu? Zvino muchaona kuti zvandataura zvinoitika here kana kuti kwete.” Mosesi akabuda akandoudza vanhu zvaakanga audzwa naTenzi. Akakokorodza vatungamiriri makumi manomwe avarume vechikuru vavaIsiraeri ndokuvamisa vakapoteredza tendhe iroro. Ipapo Tenzi akauya ari mugore akataura naMosesi. Akatora mweya pamweya waiva muna Mosesi akaupa vatungamiriri vaya vaiva makumi manomwe. Mweya iwoyo pawakapinda mavari, vakatangisa kuporofita asi havana kuzoramba vachiporofita. Zvino vamwe varume vaviri vakasara vari kumatendhe, mumwe ainzi Eridhadhi, mumwe achinzi Medhadhi. Mweya waTenzi wakauya pavari. Varume ivava vakanga vachiverengerwa pavakuru vakuru vaya, asi vakanga vasina kuenda kutendhe ikoko. Vakatanga kuporofita vari kumatendhe ikoko. Rimwe jaya rakamhanya kundoudza Mosesi kuti Eridhadhi naMedhadhi vari kuporofita mumatendhe. Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi akati kuna Mosesi, “Changamire dzivisai vanhu avo!” Mosesi akati, “Ko wava kuvaitira shanje nemhaka yangu here? Ini ndinodisa kuti dai vanhu vose vaTenzi vave vaporofita vose zvavo. Dai Tenzi angoisa Mweya wake pavari.” Mosesi navatungamiriri vavaIsiraeri vakazodzokera kumatendhe avo. Tenzi akatumira mhepo yakaunza zvihuta kubva kugungwa. Yakazvisvitsa pamatendhe nenharaunda yepo yose zvokuti uchibva pamatendhe uchienda kumativi ose zvawo kuti undosvika kwazvaiperera zvaitoda rwendo rwomuswere wose wezuva. Zvakanga zvakatsikirirana zvokuita murwi unokwana mita rimwechete kubva pasi. Vanhu vakaswerera vakararira vakaswerera zvakare zuva rechipiri vachituta zvihuta. Hakuna munhu akatuta zvihuta asina kusvitsa chiuru chimwechete chamakirogiramu. Vakasasika zvihuta muruvanze rwamatendhe ose. Asi nyama vachinayo mukanwa isati yapera Tenzi akavavirukira nehasha akavarova nedenda rakaipa. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti Makuvaovukukara nokuti pakavigwa vanhu vaikara nyama. Vakatama kuKibhurotihatiaavha vakaenda kuHazeroti, vakambogara kuHazeroti. Miriamu naAroni vakatsoropodza Mosesi pamusana pomukadzi waakanga aroora, nokuti akanga aroora mukadzi wechiKushi. Vakati, “Ko Mosesi ndiye oga akangotaurirwa zvinhu naTenzi here? Ko isu hatina kutaurirwawo zvinhu naTenzi here?” Tenzi akanzwa zvavaitaura. Mosesi akanga ari munhu akazvirereka kupfuura vanhu vose vapanyika. Pakarepo Tenzi akataurira Mosesi naAroni naMiriamu achiti, “Uyai mose muri vatatu kutendhe rangu rokusanganira.” Vakabuda vari vatatu. Ipapo Tenzi akauya ari mugore rakasvikomira kumusuo wetendhe iroro. Mwari akadaidza achiti, “Aroni! Miriamu!” Vakaenda mberi vose vari vaviri. Iye ndokuti, “Chinzwai zvandinoreva! Kana mumwe wenyu ari muporofita ini Tenzi pachangu ndinozviratidza kwaari, kana kutaura naye muchiroto. Asi handidaro nomuranda wangu Mosesi nokuti zvinhu zvangu zvose ndakazviisa mumaoko ake. Ndinokurukura naye takatarisana tichinyatsotaurirana pasina zvamadimikira achiona chimiro changu ini Tenzi. Ko makarega sei kutya kutsoropodza muranda wangu Mosesi?” Tenzi akavashatirirwa ndokubva aenda. Gore rakanga rakafukidza tendhe iroro rakasimuka. Miriamu akava nechirwere chamapere akachena samazaya echando. Aroni akatarisa Miriamu wanei ava nechirwere chamapere. Aroni ndokutaura naMosesi achiti, “Changamire ndapota! Regai kutirwadzisa muchitirangira kutadza kwatakaitira muupenzi hwedu. Musarege Miriamu achiita sowakafa, somwana anoberekwa ane muviri wakadyiwadyiwa.” Mosesi akachema kuna Tenzi achiti, “Nhai Mwari! Ndapota! Muporesei zvenyu!” Asi Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Dai vanga vari baba vake vamusvipira pauso angadai asina kunyara here kwamazuva manomwe achindogariswa kunze kwamatendhe ari oga here? Saka ngaandogara ari oga kunze kwamatendhe kwamazuva manomwe agozodzoserwa mumatendhe.” Naizvozvo Miriamu akanzi agare kunze kwamatendhe kwemazuva manomwe. VaIsiraeri havana kutama ipapo kusvikira Miriamu adzokera mumatendhe. Vakazobva paHezoroti vakandodzika matendhe avo murenje reParani. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Tuma varume vanoenda kundosora nyika yeKanani, yandiri kupa vaIsiraeri. Padzinza rimwe nerimwe ravaIsiraeri tora mumwe wavatungamiriri vavo.” Mosesi akatuma vose vakanga vari vatungamiri vavaIsiraeri sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Vakanga vakadai: Aya ndiwo mazita avo, Mudzinza rokwaRubheni, mutungamiriri akatorwamo ndiShamua mwanakomana waZakuri. Mudzinza rokwaSimeoni, makatorwa Shafati mwanakomana waHoru. Mudzinza rokwaJudha, makatorwa Karebhu mwanakomana waJefune. Mudzinza rokwaIsakari, makatorwa Igari mwanakomana waJosefi. Mudzinza rokwaEfuremu, makatorwa Hoshea mwanakomana waNuni. Mudzinza rokwaBhenjamini, makatorwa Pariti mwanakomana waFaru. Mudzinza rokwaZebhuroni, makatorwa Gadhieri mwanakomana waSodhi. Mudzinza rokwaJosefi, dzinza rokwaManase, makatorwa Gadhi mwanakomana waSusi. Mudzinza rokwaDhani, makatorwa Amieri mwanakomana waGemari. Mudzinza rokwaAsheri, makatorwa Seturi mwanakomana waMikaeri. Mudzinza rokwaNafutari, makatorwa Nahibhi mwana waVhofusi. Mudzinza rokwaGadhi, makatorwa Geueri mwanakomana waMachi. Ndiwo mazita avasori vakatumwa naMosesi kundosora nyika iyoyo. Mosesi akatumidza Hosea mwanakomana waNuni kuti Joshuwa. Mosesi akavatuma kundosora nyika yeKanani akati kwavari, “Endai nokuNegevhu uko mukwire kunyika yamakomo. Endai mundoona kuti nyika iyoyo yakaita sei, navanhu vageremo kuti vane simba here kana kwete, kuti vazhinji here kana kuti vashoma. Endai mundoona kuti nyika yavagere inyika yakanaka here kana kuti yakaipa. Muonewo kuti maguta avagere akakomberedzwa nerusvingo here kana kuti kwete. “Ongororai ivhu reko kuti rakanaka here kana kuti rakaipa, kuti kune miti here kana kuti hakuna. Itai chivindi muuye nemichero yomunyikamo.” Yakanga yava nguva yokutanga kuibva kwamagirepisi. Varume vaya vakaenda vakandosora nyika iyoyo, kubvira parenje reZini, kundosvika kuguta rainzi Rehobhu tavakuda kupinda muguta reHamati. Vakatanga kusora kumaodzanyemba kwayo ndokuzosvika kuguta reHebhuroni kwaigara marudzi aAhimani naSheshai naTarumai zvizukuru zverudzi rwehofori dzavanhu dzainzi vaAnaki. Guta reHebhuroni rakavakwa makore manomwe guta rokuIjipiti rainzi Zoani risati ravakwa. Vakasvika kubani reEshikoru vakatanha bazi raiva nesumbu ramagirepisi yaitoitwa zvokutembedzanwa pamafudzi navarume vaviri pamutanda. Vakauyawo nemichero yamapomugiraneti namaonde. Nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kuti bani reEshikoru pamusana pesumbu remagirepisi rakachekwapo navaIsiraeri. Shure kwamazuva makumi mana vachimema nyika iyoyo vakazodzokera. Vakafamba vakasvika kwaiva naMosesi naAroni navaIsiraeri vose kunzvimbo inonzi Kadheshi iri kurenje reParani. Vakavataurira zvavakanga vaona ivo negungano rose vakavaratidza michero yenyika iyoyo. Vakarondedzera Mosesi vachiti, “Takasvika kunyika yamakatituma. Ichokwadi kuti nyika iyoyo yakapfuma inoerera uchi nomukaka. Heino michero yayo yatauya nayo. Asi vanhu vageremo vane simba. Maguta avo makuru kwazvo akanyatsokomberedzwa netsvingo. Kunyange hofori dzorudzi rwavaAnaki takadziona ikoko. Rudzi rwaAmareki rugere nechokumaodzanyemba kwayo. VaHiti navaJebhusi navaAmori vanogara mumakomo. VaKanani vari kumadokero pedyo negungwa nepedyo perwizi rwaJorodhani.” Asi Karebhu akanyaradza vanhu vaiva pana Mosesi achiti, “Handeiko izvozvi, tindoitora. Chokwadi, tinokwanisa kuzviita.” Varume vaya vakanga vaenda naye vakati, “Hatikwanisi kundomirisana navo nokuti vakasimba kupinda isu.” Naizvozvo shoko ravakauya vava naro kuzopa vaIsiraeri, vadzoka kundosora nyika iya, raiti, “Nyika yatakasora haikwanise kupa vagari vemo zvokudya zvakakwana. Vanhu vose vatakaonako varefu chaizvo. Takaonawo hofori dzavanhu vorudzi rwaAnakimu. Isu takanga takaita sehwiza ndiko kutiona kwavaitiita.” Gungano rose ravaIsiraeri rakaridza mhere usiku ihwohwo vakarara vachichema. Gungano rose rakanyunyutira Mosesi naAroni vachiti, “Dai takafira zvedu kunyika yeIjipiti kana kuti tifire zvedu murenje muno! Seiko Mwari achida kuenda nesu kunyika iyoyo kundotiurayisa nehondo? Madzimai edu navana vedu vachatapwa. Hazvingatinakire here kana tikadzokera zvedu kuIjipiti?” Saka vakataurirana vachiti, “Ngatisarudzei mutungamiriri tidzokere kuIjipiti!” Ipapo Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara pamberi pegungano rose ravaIsiraeri. Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, vamwe vavaya vakandosora nyika iya vakabvarura zvipfeko zvavo. Vakataurira mhomho yose yavaIsiraeri vachiti, “Nyika yatakaenda kundosora inyika yakanaka kwazvo kwazvo. Kana Tenzi achida, achatisvitsa ikoko achindotipa nyika iyoyo yakapfuma inoerera uchi nomukaka. Asi musapandukire Tenzi. Musatye vanhu venyika iyoyo. Tichavaita kanyama kanyama. Chinovadzivira chakabviswa asi Tenzi anesu. Saka musavatye!” Asi mhomho yose yavaIsiraeri yakada kuvatema namabwe. Pakarepo vaIsiraeri vose vakaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kutendhe rinoera. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ko vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vachasvikira riniko vasingavimbe neni kunyange ndakaita zvishamiso pakati pavo? Ndichavarakatisa nedenda ndigovaita kuti vave vanhu vasingakodzere kuwana nhaka. Ndigokuita iwe rudzi rukuru rune simba guru kupfuura ivo.” Asi Mosesi akateterera Tenzi achiti, “VaIjipiti vachazvinzwa nokuti imi makabvisa vanhu ava nesimba renyu vachibva mukati mavo. Vachazviudza vanhu vomunyika ino vakanzwa kuti imi Tenzi muri pakati pavo, muchinyatsoonekwa uso nouso! Gore renyu rinomira riri pamusoro pavo, muchivatungamirira neshongwe yegore masikati, usiku muchivatungamirira nezirimi romoto. Zvino kana mukauraya vanhu venyu vose ndudzi dzakanga dzanzwa mukurumbira wenyu dzichati, ‘Tenzi akakundikana kusvitsa vanhu ava kunyika yaakanga avatsidzira, saka akavaurayira murenje.’ Zvino ndapota! Chiratidzai ukuru hwesimba renyu sokutsidza kwamakaita muchiti, ‘Imi Tenzi hamukurumidze kushatirwa. Mune mwoyo wakachena. Munoregerera zvitadzo, munoregererawo kukanganisa. Kunyange zvakadaro hamuzorega kuranga vana nezvizukuru pamusana pezvitadzo zvavabereki vavo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina.’ Ndapota regererai waro zvitadzo zvavanhu venyu ava nokuti mune tsitsi dzakawanda. Chiitirai vanhu ava mwoyo murefu sezvamakavaitira kubvira vachiri Ijipiti kusvikira iye zvino.” Tenzi akati, “Ndavaregerera sokukumbira kwako. Asi ndinopika neni pachangu. Ndinopika nembiri yangu izere pasi pose ndichiti, ‘Hakuna nomumwe wavanhu ava achapinda munyika iyoyo. Vakaona mbiri yangu nezvishamiso zvandakaita kuIjipiti nomurenje, asi vakandiedza kagumi kagumi vasinganditeerere. Hakuna nomumwe wavo achapinda munyika yandakapikira madzitateguru avo, kana vose vakandishora havambofa vakakutsika.’ Asi muranda wangu Karebhu ane mwoyo wakasiyana navamwe anonditeerera nomwoyo wose ndiye wandichasvitsa kunyika iyoyo yaakasvika ichava nhaka yezvizukuru zvake. Pamusana pokuti vaAmareki navaKanani vagere mumapani. Mangwana, imi tendeukirai kurenje mutore nzira inoenda kuGungwa Dzvuku.” Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Ko vanhu ava vakaipa vacharamba vachindinyunyutira kusvikira riniko? Kundinyunyutira kwavaIsiraeri ndakunzwa. Chivaudza kuti, Tenzi ati, ‘Ndinopika neni pachangu, zvamataura ndichinzwa ndizvo zvandichakuitirai. Zvitunha zvenyu zvichaita murakatira murenje rino. Vose vamakaverenga vaiva namakore makumi maviri navaiva naaipfuura iwayo, vakandinyunyutira hakuna nomumwe wavo achazopinda munyika yandakakupikirai kuti muzogaramo kusiya Karebhu mwana waJefune naJoshuwa mwana waNuni. Asi vana venyu vamati vachaitwa kanyama kanyama, ndivo vandichasvitsa ikoko. Vachaziva nyika yamakaramba. Asi imi zvitunha zvenyu zvichaita murakatira murenje muno. Vana venyu vachava vafudzi murenje kwamakore makumi mana vachatambudzika nokuda kwokusatendeka kwenyu kusvikira chitunha chenyu chokupedzisira chati rabada murenje muno. Muchaona ndondo kwamakore makumi mana nokuti manditadzira. Handiti makapedza mazuva makumi mana muchisora nyika iyoyo? Saka zuva roga roga richava gore muchirangirwa zvitadzo zvenyu. Kwamakore makumi mana muchanyatsoziva kuti rushambwa rwokufuratirwa neni rwakaita sei. Ini Tenzi, ndinotsidza kuti zvandataura ndizvozvo zvandichaita kwamuri; mhomho yavanhu vakaipa vaunganidzana kuzondipandukira. Imo murenje muno, ndimo mavachaperera. Imo muno ndimo mavachafira.’ ” Naizvozvo varume vakatumwa naMosesi kundosora nyika vakadzoka vakakonzera kuti gungano rose rimunyunyutire nokutaura kwavo zvakaipa nezvenyika iyoyo. Vanhu ivavo vakataura zvakaipa vakafa nedenda panaTenzi. Asi pavarume vaye vakandosora nyika Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhi mwanakomana waJefune vakasara vari vapenyu. Mosesi akataurira vaIsiraeri vose mashoko iwayo vakabva vachema zvikuru. Vakafumomuka vakaenda kumusoro kunyika yamakomo vachiti, “Asi zvatava pano kudai ngatichiendai kunzvimbo yatakapikirwa naTenzi nokuti takatadzira Mwari.” Asi Mosesi ndokuti, “Ko munorambireiko zvataurwa naTenzi? Hazvimbobudirira izvi! Regai kuendako nokuti Tenzi haasi nemi. Muchandokundwa navavengi venyu! Kana vaAmareki navaKanani vouya kuzokurwisai vachakuurayai namapakatwa nokuti makafuratira Tenzi. Tenzi haazovi nemi.” Asi ivo vakangoenda kunyika yokumakomo, kunyange bhokisi rechitenderano raTenzi rakasara mumatendhe naMosesi asinawo kuenda navo. VaAmareki navaKanani vakanga vagere munyika yamakomo vakaburuka vakabva vavakunda ndokuvadzingirira kusvikira kuHorima. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti, kana mava munyika yandichakupai kuti mugaremo, kana munhu achiuya kuzopira mupiro wake kuna Tenzi wezvipfuwo, zvemombe kana hwai, kana mbudzi, achiita mupiro unoita zvokupiswa kana mupiro wokupisa nomoto kana mupiro wezvaakambotsidza, kana wechido chake, kana pamunochengeta enyu mazuva makuru kuti kunhuhwirira kwayo kundifadze, zvamunoita ndezvizvi: munhu anenge auya nomupiro ngaaunze mupiro wembesanwa woupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana rita rimwechete, newaini yomupiro wezvokunwa inokwana chikamu chapakati napakati cherita. Zvose izvozvo ngazvipirwe pamwechete nomupiro wokupisa, nechibayiro chehwayana imwe neimwe. Kana iri hondohwe, pirai pamwechete nayo upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu maviri, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana rita rimwechete nechikamu chapakati napakati perita, pamwechete newaini inokwana rita nechikamu charo chapakati napakati. Kunhuhwirira kwemipiro iyoyi kunofadza Tenzi. Pamunopira Tenzi handira ichiri duku yomupiro wokupisa, kana chibayiro chomupiro wezvakatsidzwa kana mipiro yokuwadzana kuna Tenzi unzaiwo mupiro wembesanwa woupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu matatu, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana marita maviri, pamwechete newaini inokwana marita maviri somupiro inopiswa nomoto. Kunhuhwirira kwomupiro iwoyu kunofadza ini Tenzi. “Saka ndizvo zvamunoita pamupiro mumwe nomumwe wehandira, kana hondohwe, kana hwayana hono kana mbudzana hono. Chibairo choga choga chamunopira, hazvinei kuti zvingani, chimwe nechimwe chazvo ngachiitiwe zvimwechetezvo. Chizvarwa choga choga cheIsiraeri, ngachiite saizvozvo pakupira mupiro unoita zvokupiswa kuti kunhuhwirira kwawo kunofadza Tenzi. Kana pachinge paine mutorwa agere nemi zvachose, kana kuti agere nemi kwechinguva achida kupira mupiro unoita zvokupiswa kuti kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi, anofanirawo kuita sezvamunoita. Murao mumwechete ndiwo uchasunga imi navatorwa vamugere navo. Uchagara uripo kwezvizvarwa nezvizvarwa zvenyu. Pana Tenzi imi navatorwa hapana mutsauko. Imi navatorwa vamugere navo muchava nemitemo nemirao mimwechete.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti kana mava munyika yandichakusvitsai, mukange modya zvokudya zvemo, torai zvimwe mupire Tenzi mupiro. Pamunokanya upfu hwembesanwa dzenyu dzokutanga muchibika chingwa, chingwa chokutanga ngachipirwe kuna Tenzi chive mupiro wenyu wezvamunotanga kupura paburiro, ndiwo mapiriro amuchauita. Pazvizvarwa zvenyu zvose torai mupiro, pamukanyiwa wenyu wokutanga, mupire kuna Tenzi. “Asi kana mukakanganisa mukarega zvenyu kuchengeta mirao iyoyi yakaudzwa Mosesi naTenzi, zvose zvazvo zvakatemwa naTenzi zvamakaudzwa naMosesi, kubvira pazuva rakapiwa mutemo naTenzi pazvizvarwa zvenyu zvose zvichauya, kukanganisa ikoko kana kwaitwa negungano mukusaziva, gungano rose ngariite mupiro wokupisa wehandira ichiri duku, unonhuhwirira zvinofadza ini Tenzi pamwechete nomupiro wembesanwa newaini yomupiro wezvokunwa. Ngavapirewo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo maererano nezvakatemwa naTenzi. Mupristi ngaaite mupiro wokuripira zvitadzo zvegungano rose ravaIsiraeri. Vacharegererwa nokuti vakazviita mukusaziva vakapirawo Tenzi mipiro yavo inopiswa nomoto nemupiro wokuzvichenura kuzvitadzo vachiripa kukanganisa kwavo. Mhuri yose yeIsiraeri navatorwa vagere navo vacharegererwa nokuti munhu wose akanga arimo mukuvhiya katiyo. “Kana munhu mumwechete akatadza mukusaziva ngaapire mbudzi hadzi ine gore rimwechete uve mupiro wokupfupira zvitadzo. Mupristi ngaapire mupiro kuna Tenzi wokuripira zvitadzo zvomunhu iyeyo. Munhu iyeyo anenge akakanganisa mukusaziva acharegererwa. Ani naani anotadza mukasaziva kunyange ari chizvarwa chomuIsiraeri kana mutorwa agere nemi anosungwa nomutemo mumwechetewo. “Asi ani naani anotadza maune kunyange ari chizvarwa cheIsiraeri kana mutorwa, ashora Tenzi ngaachekaniswe ukama novokwake, nokuti akaramba kuteerera Tenzi akatyora mutemo wake. Munhu iyeyo ngaabviswe murudzi rwake zvachose. Ndiye akazviparira.” Zvino vaIsiraeri vachiri murenje, vakawana mumwe murume achitsvaka huni musi weSabata. Vaya vakamuona achitsvaka huni vakamuunza kuna Mosesi naAroni negungano rose ravaIsiraeri. Vakamubata vakamuchengetedza nokuti vakanga vasati vaziva kuti vangaitei naye. Tenzi ndokuzoudza Mosesi achiti, “Murume iyeyo ngaaurayiwe. Gungano rose ravaIsiraeri ngarindomutema namabwe kunze kwemunharaunda yamatendhe.” Saka gungano rose rakaenda naye kunharaunda yokunze kwamatendhe ndokumutemerako namabwe akafa sezvakaudzwa Mosesi naTenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Iti vaIsiraeri vasonere masa pakona yoga yoga yehanzu dzavo vazviite pazvizvarwa zvavo zvose. Vasungire shinda yeruvara rwedenga pamasa dzacho. Masa idzodzo dzichava chiyeuchidzo chokuti mukadzitarisa muyeuke mitemo yangu muichengete, murege kungoita zvamunoda muchifurirwa noruchiva, rwemwoyo yenyu noruchiva rwemeso enyu, sezvamakajairira. Saka muchayeuka mitemo yangu yose muchiichengeta. Muchava vanhu vangu vandakazvisarudzira vatsvene. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndakakubudisai munyika yeIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ini ndini Tenzi Mwari wenyu.” Kora mwanakomana waIzhari mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi pamwechete naDhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu vose naOni mwanakomana waPereti vedzinza rokwaRubheni, vakafurirana navamwe varume vakapandukira Mosesi. Vanhu vacho vaikwana mazana maviri namakumi mashanu. Vaiva vamwe vevatungamiriri vakanga vasarudzwa kutungamirira vaIsiraeri, vari vanhu vanozivikanwa chaizvo. Vakaunganidzana ndokupandukira Mosesi naAroni vachiti, “Varume mazopindiridza! Inga gungano rose rakasarudzwawo naMwari idzvene nemunhu woga woga arimo. Tenzi arimowo mavari. Ko munozozvikwidziridza muchizviisa pamusoro pegungano raTenzi sei?” Mosesi paakazvinzwa akati pasi zvambarara. Akazotaurira Kora navamwe vake achiti, “Mangwana Tenzi achafumotiratidza kuti vake ndavapi vaakazvisarudzira vagouya kwaari. Vaanenge asarudza achavaunza kwaari. Chidai izvi! Iwe Kora neboka rako mangwana torai mabisiro orusenzi muisemo mavhunze omoto norusenzi moisa mabisiro iwayo paatari panopisirwa rusenzi. Saka ipapo asarudzwa naTenzi ndiye mutsvene. Imi vana vaRevhi mapindiridza.” Mosesi ndokupamhidza kutaurira Kora achiti, “Chinzwai vana vaRevhi! Ko munoti chinhu chiduku here chamakaitirwa naTenzi waIsiraeri? Heya munoti chinhu chiduku nhai chaakaita chokukusarudzai muvaIsiraeri vose kuti mukwanise kusvika paari muchiita basa romutendhe raTenzi, akakuisai mberi kuti muitire vanhu basa remo. Akakuswededza pedyo naye, iwe nehama dzako dzose, vanakomana vokwaRevhi. Ko zvino woda basa roupristi here? Saka wamaunganira iwe neboka rako rose ndiTenzi wamunenge muchinyunyutira. Ko Aroni chiiwo zvake wamuri kunyunyutira.” Mosesi akatumira shoko rokuti Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu vauye. Ivo vakati, “Kwete hatisi kukwira ikoko. Ko unoti chinhu chiduku here chawakaita chokuti wakatibvisa munyika yakanaka inoerera uchi nomukaka kuzotiurayisa muno murenje, zvawava kutoda kuzviita mutongi wedu. Haunawo kutisvitsa kunyika yakanaka inoerera uchi nomukaka, kana kutipa nhaka yeminda zvayo neyeminda yemigirepisi. Ko unodireiko kubata vanhu kumeso? Hatizi kuuyako.” Mosesi akashatirwa zvikuru akati kuna Tenzi, “Musaite hanya nomupiro wavanokupai. Ini handina kumbovatorera kunyange dhongi rimwechete zvaro, handina kana mumwechete wavo wandakakanganisira.” Mosesi akataurira Kora achiti, “Iwe neboka rako rose mangwana muuye kuna Tenzi, iwe neboka rako naAroni. Mumwe nomumwe ngaauye nebisiro rake rorusenzi, aisemo rusenzi. Mose muuye nawo kuna Tenzi, mabisiro akwane mazana maviri ana makumi mashanu. Iyewe naAroni muuyewo namabisiro enyu orusenzi.” Naizvozvo mumwe nomumwe akatora bisiro rake rorusenzi, ndokuisamo moto ndokuisawo rusenzi, vakandomira kumusuo wetendhe rinoera vaina Mosesi naAroni. Kora akaunganidza gungano rose ravanhu kumusuo wetendhe rinoera kuzopikisana navo. Ipapo kupenya kwaTenzi kwakaonekwa negungano rose. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Sudurukai pagungano iri ndiriparadze kamwe kamwe.” Asi Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara vakati, “Nhai Tenzi, inga ndimi muridzi woupenyu hwose. Ko mungabva mashatirirwa vanhu vose pamusana pomunhu mumwechete here?” Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Udza vanhu vose kuti vabve pedyo namatendhe aKora naDhatani naAbhiramu.” Mosesi akasimuka akaenda kuna Dhatani naAbhiramu. Vakuru vakuru vavaIsiraeri vakamuteverawo. Akataurira gungano rose achiti, “Ndapota ibvai pedyo namatendhe evarume vakaipa ava. Musabate chinhu chavo mungadaro mukaparadzwa pamusana pezvitadzo zvavo.” Vanhu vose vakabva pedyo panharaunda yamatendhe aKora naDhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu vakabuda pamwechete namadzimai avo navana vavo vose navacheche vakamira pamisuo yamatendhe avo. Mosesi ndokuti, “Zvino muchazoziva kuti Tenzi ndiye akandituma kuzoita mabasa ose aya andinoita hazvisiri zvokungozvisarudzira. Zvamuchaziva nazvo ndezvizvi zvokuti, kana varume ava vakaita mafiro anongoitawo vamwe vose kana kuwirwa nenhamo dzinongowirawo vamwe vose, Tenzi haana kundituma. Asi kana Tenzi akaita chimwe chinhu chitsva, nyika ikashama muromo wayo ikavamedza pamwechete nezvinhu zvavo zvose, vakatozomokeramo vachienda kunzvimbo yavachakabvu, ndipo pamuchazoziva kuti varume ava vakashora Tenzi.” Achangopedza kutaura mashoko iwayo pavakanga vamire pakati bamu kutsemuka. Nyika yakashama muromo wayo, ikavamedza nedzimba dzavo navose vokwaKora nezvinhu zvavo zvose. Saka vose vakati ririri imomo, vari vapenyu kunzvimbo yavachakabvu nezvinhu zvavo zvose. Pasi ndokuti gwibha kuvakwidibira. Ndiko kuparadzwa kwavakaitwa pakati pegungano ravaIsiraeri. VaIsiraeri vose vakanga varipo vakanzwa kuchema kwavo vakatiza vachiti, “Nyika ingadaro ikatimedzawo nesu tose.” Ipapo moto wakabva kuna Tenzi ukaroromesa varume vaya vaikwana mazana maviri namakumi mashanu vakanga vauya kuzopira rusenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chiudza Ereazari mwanakomana womupristi Aroni kuti andobvisa mabisiro orusenzi mumoto, arasire mavhunze acho kure nokure nokuti mabisiro iwayo ava kuera. Tora mabisiro avarume vaya vakatadza vakabva vaurayiwa, uapfure ave mapepa okukwidibirisa paatari nokuti vakauya nawo kuzopira Tenzi, saka ava kuera. Achava mucherechedzo wokuyambira vaIsiraeri.” Ipapo Ereazari mupristi akatora mabisiro omundarira aye evaye vakaurayiwa. Vakaapfura vakagadzira chokukwidibirisa nacho atari kuti chive chiyeuchidzo kuvaIsiraeri chokuti munhu wose asiri mupristi asiriwo wechizvarwa chokwAroni arege kuuya kuzopira Tenzi rusenzi nokuti zviya zvakawira Kora navamwe vake zvingavawirewo. Ndiwo mashoko akaudzwa Ereazari naTenzi achibva nokuna Mosesi. Ramangwana racho gungano rose ravaIsiraeri rakanyunyutira Mosesi naAroni vachiti, “Makaurayisa vanhu vaTenzi.” Gungano rose rakati rauya kuzopikisana naMosesi naAroni, rakatarisa kutendhe rokusanganira, onei gore ratorifukidza kupenya kwembiri yaTenzi kuchioneka. Mosesi naAroni vakauya kumusuo wetendhe rokusanganira. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Sudurukai pagungano iri, ndivaparadze, ndivati bvu kamwechete.” Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara. Mosesi ndokutaurira Aroni achiti, “Tora bisiro rako rerusenzi uisemo moto wapaatari norusenzi, umhanyire naro kugungano upfupire mhosva yavo nokuti vatomutsa hasha dzaTenzi. Vanhu vatotanga kurakashwa nedenda.” Aroni akaita zvaakaudzwa naMosesi akamhanyira mukati mavanhu. Wanei denda ratotanga kare muvanhu. Akaisa rusenzi mumoto achipfupira mhosva dzavanhu. Akamira pakati pavanhu vakanga vafa navapenyu ndokubva denda ramiswa. Vanhu vakaurayiwa nedenda iroro vaiva zviuru gumi nezvina zvina mazana manomwe tisingaverengi vaya vakaurayiwa paya pakapanduka Kora. Aroni akadzokera kwaiva naMosesi kumusuo wetendhe rokusanganira paya pakamiswa denda. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Taurira vaIsiraeri vakupe tsvimbo imwe neimwe ichimirira dzimba dzamadzitateguru avo dzichibva kuvatungamiriri vavo vose nedzimba dzamadzitateguru avo dziri tsvimbo gumi nembiri. Nyora zita romutungamiriri patsvimbo yake. Asi patsvimbo yedzinza rokwaRevhi nyora zita raAroni nokuti mutungamiriri wedzinza roga roga ngaave netsvimbo yake. Tora tsvimbo dzacho udziise mutendhe rokusanganira pamberi pebhokisi rouchapupu paya pandinosangana nemi. Tsvimbo yemunhu wandichasarudza ichabukira. Ndipo pandichapedza kunyunyuta kwaunoitirwa navaIsiraeri.” Mosesi akataurira vaIsiraeri mumwe nomumwe wavatungamiriri vemadzinza akaunza tsvimbo zvichitevedza dzamadzitateguru avo. Dzaiva gumi nembiri, tsvimbo yaAroni yakaiswa pamwechete nadzo. Mosesi akatora tsvimbo dzacho akandodziisa mutendhe rouchapupu pana Tenzi. Mangwana acho Mosesi akapinda mutendhe rouchapupu wanei tsvimbo yaAroni wedzinza raRevhi yabukira yava nematungirwa yava nemaruva namaarimondi akaibva. Mosesi akatora tsvimbo dziya dzose dzaiva pana Tenzi, pamberi pebhokisi rechitenderano, ndokudziunza kuzoratidza vaIsiraeri vose. Vakadzitarisa. Varume vaya vose vakatora tsvimbo dzavo. Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Dzorera tsvimbo yaAroni pamberi pebhokisi rouchapupu, ichengeterwe kuyambira vapanduki kuti upedze kunyunyuta kwavo varege kufa.” Mosesi akaita zvaakarayirwa naTenzi. VaIsiraeri vakataurira Mosesi vachiti, “Onaika, tava kufa, taparara, chokwadi ndiko kupera kwedu tose uku! Munhu wose anoswedera kutendhe raTenzi ari kufa zvino topera kufa here?” Tenzi akataurira Aroni achiti, “Kana pane chinokanganiswa pakushanda munzvimbo inoera, mhosva ndeyako iwe navanakomana vako vemhuri yokwako. Asi kana zvava zvebasa roupristi ndiwe navanakomana vemhuri yokwako bedzi muchava nemhosva. Uya nehama dzako dzedzinza rokwaRevhi kuti vaite basa vachibatsira iwe navanakomana vako pamunenge muchishanda mutendhe reuchapupu. Vachava vashandiri venyu uye vachaitawo mabasa ose omutendhe iroro. Asi ngavarege kubata zvemidziyo yomunzvimbo inoera kana kusvika pedyo neatari kuti ivo newe murege kufa. Vachauya kuzobatana newe vari vashandi vomutendhe rinoera vachiita mabasa omo, mumwe munhuwo zvake, ngaarege kuuya kuzokubatsira. Mabasa omunzvimbo inoera, neepaatari, achaitwa nemi chete kuti hasha dzangu dzirege kumukirazve vaIsiraeri. Chinzwa, ini ndini ndasarudza hama dzako vaRevhi pakati pavaIsiraeri, vava chipo chawapiwa. Vapirwa kwandiri kuti vaite basa romutendhe rokusanganira. Asi iwe navanakomana vako ndimi moga muchaita basa roupristi nerezvose zvepaatari neremumupanda unoeresesa museri mejira rokudzikatirisa. Ndiro basa rako. Ndinokupa chipo choupristi. Asi mumwe munhuwo zvake anoedza kuita basa iroro ngaaurayiwe.” Tenzi akataurira Aroni achiti, “Chinzwa, ndakupa zvose zvinosiyiwa zvemipiro yandinopirwa. Zvose zvazvo zvandinoturirwa navaIsiraeri ndazvipa iwe navanakomana vako. Iwoyu ndiwo mugove wako narini narini. Izvozvi ndizvo zvaunopiwa zvinenge zvasiyiwa pamipiro inoeresesa yandinopisirwa navaIsiraeri pamipiro yembesanwa nemipiro yokuchenura munhu nemipiro yokupfupira mhosva. Ndiwo mugove wako navanakomana vako. Zvinhu izvozvi zvinoera, zvidyirei panzvimbo inoera. Ngazvidyiwe navanhurume chete. “Zvimwe zvamuchapiwa navaIsiraeri ndeizvi: zvipo zvemipiro yavo, nemipiro yavo yose inovheyeswa ichipirwa kuna Mwari. Zvinhu izvozvi ndapa iwe navanakomana navanasikana vako. Ndezvenyu narini narini. Ani naani wemhuri yako anenge asina kun'ora anobvumirwa kuzvidya. Ndakupa mafuta ose akanaka eorivhi, newaini yose yakanaka nembesanwa dzose dzakanaka, nemichero yokutanga yavanopa Tenzi. Zvose zvinotanga kuibva zvomuminda yavo zvavanopa Tenzi ndezvako. Munhu wose anenge asina kun'ora wemhuri yako anobvumirwa kuzvidya. “Zvose zvinenge zvatemwa chaizvo kuti zvava zvaTenzi ndezvako. Matangwe ose, chose chinotanga kuzarura nhumbu, angava avanhu kana emhuka avanouya nawo, kuzopira kuna Tenzi, ndeako. Asi dzikinurisa matangwe avanhu neemhuka dzakanora. Matangwe iwayo ngaadzikinurwe mumwedzi wawo wokutanga nemari yesirivha inokwana mashekeri mashanu, shekeri racho rine mwero weshekeri remunzvimbo inoera iine uremu hwamagiramu gumi nemaviri. Asi usadzikinurise matangwe emombe kana ehwai kana embudzi. Anoera. Sasa ropa rawo paatari upire mafuta awo uite mupiro unoita zvokupiswa nemoto, kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi. Asi nyama yacho ndeyako sezvakaita chityu nechidya chokurudyi zvomupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi, ndezvako. Mipiro yose inoera inosimudzirwa ichipirwa kuna Tenzi navaIsiraeri ndapa iwe navana vako vakomana navasikana narini narini. Ichocho chitenderano chomunyu, chaTenzi nemi, ndochitenderano chinozadziswa nokudya chichagara chiripo pazvizvarwa zvenyu zvose.” Tenzi akati kuna Aroni, “Iwe hauwani nhaka munyika yavaIsiraeri kana kupiwa mugove pakati pavo. Ini ndini mugove wako nenhaka yako muvaIsiraeri. “Ndapa vaRevhi nhaka yechegumi chose chandinopiwa navaIsiraeri. Ndiwo mugove wavanopiwa pamusana pebasa ravanoita mutendhe rokusanganira. VaIsiraeri ngavachirega kusvika pedyo netendhe rokusanganira nokuti vangadaro vakapara mhosva vakafa, asi vaRevhi ndivo vachaita basa romutendhe rokusanganira, ivo vangapare mhosva. Murao iwoyu uchagara uripo kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa zvenyu. Pakati pavaIsiraeri vose vaRevhi havana nhaka. Chegumi chavaIsiraeri chavanounza kuzopira kuna Tenzi ndachipa kuvaRevhi senhaka yavo ndokusaka ndati havana nyika yenhaka mukati mavaIsiraeri.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaRevhi kuti, kana magamuchira chegumi chinobviswa navaIsiraeri chandinokupai chichibva kwavari senhaka bvisai mupiro pachiri mupire kuna Tenzi, chiri chegumi pane chegumi ichocho. Chegumi ichocho chamunobvisa chichanzi ndicho mupiro wenyu wakafanana nemupiro wembesanwa dzinotanga kupurwa paburiro, newewaini itsva inotanga kusvinwa muchisviniro. Saka imi bvisaiwo chipo chokupira Tenzi chichibva pane zvegumi zvose zvamunogamuchira zvinobva kuvaIsiraeri. Pane zvegumi izvozvo bvisai mugove waMwari mupe Aroni mupristi. Pamipiro yose inounzwa kwamuri, sarudzai zvaTenzi zvakanakisisa zvazvo zvive zvinoera zvinopirwa kuna Tenzi. Saka taurira vaRevhi kuti, kana mapira Tenzi chakanakisisa pazviri, zvinenge zvasara ndezvevaRevhi, sezvinoita murimi anopira mupiro wake wembesanwa dzokutanga, newewaini inotanga kusvinwa muchisviniro. Imi nemhuri dzenyu dyirai zvinenge zvasara pose pose pamunoda nokuti mubairo wenyu wamunopiwa wokushanda mutendhe rokusanganira kwamunoita. Hamuzovi nemhosva yacho kana mukatanga mapira zvakanakisisisa zvacho. Ipapo hamuzon'oresi mipiro inoera yavaIsiraeri, uye hamuzofi.” Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Iyi ndiyo mirao yakatemwa naTenzi: taurirai vaIsiraeri kuti vakuvigirei tsiru dzvuku risina kuremara risinawo chinoshoreka risati rambosungwa pajoki. Ipai tsiru iroro kumupristi Ereazari. Tsiru iroro ngaritorwe riendwe naro kunze kwenharaunda yamatendhe, riurayirweko, Ereazari aripo. Ipapo Ereazari ngaanyike munwe wake muropa retsiru riya arisase kudivi kune tendhe rokusanganira kanomwe. Tsiru iroro ngaripiswe Ereazari achiona. Ngaripiswe rose, nyama yaro, nedehwe raro, neropa raro pamwechete nendove yaro. Mupristi ngaatore chimuti chomusidhari nekabazi komuhisopi neshinda tsvuku akande izvozvo mumoto mune tsiru riya. Kana mupristi apedza kuita izvozvo atova munhu akan'ora kusvikira zuva radoka. Ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri nemvura adzokere zvake kumatendhe. Munhu uya apisa tsiru riya atovawo munhu akan'ora kusvikira zuva radoka. Ngaasuke hanzu dzake nemvura, ashambe muviri nemvura. Ipapo mumwe murume anenge asina kun'ora ngaaunganidze madota etsiru riya rakapiswa andoaisa kunze kwenharaunda yematendhe panzvimbo isina kun'ora. Madota iwayo ngaachengeterwe vaIsiraeri kuti vazoaisa mumvura iya inosaswa pakuchenura zvinhu napakubvisa zvitadzo. Murume uya atakura madota etsiru riya atovawo munhu akan'ora kusvikira zuva radoka. Ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri. Murao iwoyu uchagara uripo unofanira kuchengetwa navaIsiraeri navatorwa vagere navo. “Ani naani anobata chero chitunha chomunhu, achapedza mazuva manomwe akan'ora. Ngaazvinatse nemvura iya yokuchenurisa zvinhu pazuva retatu napazuva rechinomwe. Ipapo achava munhu achenurwa. Asi kana asina kuzvinatsa saizvozvo pazuva retatu napazuva rechinomwe achange ari munhu akan'ora. Ani naani anobata chero chitunha chomunhu asingazozvinatsi anon'oresa tendhe raTenzi rinoera. Munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri. Acharamba akan'ora nokuti haana kusaswa nemvura yokuchenurisa. “Uyu ndiwo murao kana munhu afira mutendhe. Ani naani anenge ari mutendhe iroro, uye ani naani zvake achapindamo achapedza mazuva manomwe akan'ora. Midziyo yose inenge yakashama isina chokukwidibirisa inobva yan'ora. Ani naani anobata chitunha chomunhu akaita zvokuurayiwa nebakatwa kana chitunha chomunhu akangofawo zvake achifira kunze, kunyange anobata bvupa romunhu, kana anobata guva, achapedza mazuva manomwe akan'ora. “Pakuchenura munhu iyeyo torai madota aye emupiro wokupfupira zvitadzo, muaise mumudziyo, mudiremo mvura yakachena. Munhu anenge asina kun'ora ngaatore kabazi komuhisopi, akanyike mumvura iya, asase tendhe racho chairo nepazvinhu zvose navanhu vaiva mutendhe muya makafira munhu. Mvura iyoyo ngaisaswewo saizvozvi pamunhu anenge akabata chitunha chomunhu angofawo zvake kana munhu akaurayiwa, kana pamunhu akabata bvupa romunhu, kana pamunhu akabata guva. Munhu asina kun'ora ngaasase mvura pamunhu uya akan'ora pazuva retatu napazuva rechinomwe. Saka ndiwo machenuriro aanomuita pazuva rechinomwe. Ipapo nyakuchenurwa iyeyo ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake mumvura. Achazochenurwa kana zuva radoka. “Asi kana munhu achinge an'ora akarega kuzvichenura gungano renyu rose ngarichekane ukama naye nokuti akan'oresa tendhe rinoera raTenzi zvaasina kusaswa mvura yokuchenurisa munhu anenge akan'ora. Kwamuri imi murao iwoyu, murao uchagara uripo narini wose. Munhu anosasa mvura yokuchenurisa ngaasuke zvipfeko zvake. Ani naani anobata mvura iyi yokuchenurisa achaswera akan'ora kusvikira zuva radoka. Chinhu chose chinobatwa nomunhu akan'ora chinon'ora kusvika manheru. Ani naani anobata chinhu chakan'ora achava munhu akan'ora kusvikira zuva radoka.” Gungano rose ravaIsiraeri rakazosvika murenje reZini mumwedzi wokutanga, vakagara paKadheshi. Miriamu akafa akavigirwapo. Ipapo gungano rakashaya mvura. Vakabva vaunganidzana kuzonetsa Mosesi naAroni. Vanhu vakapopotera Mosesi vachiti, “Dai takafira zvedu paya pakafira hama dzedu kumusuo wetendhe raTenzi rinoera! Ko makaunzireiko gungano raTenzi murenje muno? Kuti tizofira muno here isu nezvipfuwo zvedu. Ko makatiburitsireiko muIjipiti muchitiunza kunzvimbo ino yakaipa kudai, isina pokurima mbesa? Haina maonde. Haina michero yamagirepisi kana yamapomigiraneti! Kunyange mvura yokunwa zvayo hakuna!” Ipapo Mosesi naAroni vakabva pane vanhu ivavo vakaenda kumusuo wetendhe rokusanganira, vakasvikoti pasi zvambarara, ndokubva vaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi. Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Tora tsvimbo iya, uunganidze gungano ravanhu. Iwe nomukoma wako Aroni udzai dombo vaIsiraeri vakatarisa kuti riburitse mvura. Ipapo muchavabudisira mvura padombo. Naizvozvo muchawanisa gungano rose pamwechete nezvipfuwo zvavo mvura yokunwa.” Mosesi akatora tsvimbo yakanga iri pamberi pebhokisi rechitenderano sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Mosesi naAroni vakaunganidza vanhu kudombo riya ndokuvati, “Chinzwai mhandupandu dzavanhu, imi! Ko tokubudisirai mvura padombo iri here?” Mosesi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura zhinji zhinji ikabuda, vanhu vakanwa pamwechete nezvipfuwo zvavo. Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nokuti hamuna kuvimba neni, hamuna kuratidza vaIsiraeri kururama nokuera kwangu imi hamuchandosvitsi vaIsiraeri kunyika yandakavapa.” Apa ndipo pamvura yenharo, paMeribha, pakaitira vaIsiraeri Tenzi nharo, asi Tenzi akavaratidza kuera kwake. Mosesi akatuma nhume kubva kuKadheshi dzichienda kuna mambo weEdhomu kundoti, “Zvanzi nehama yenyu Isiraeri, munoziva nhamo dzose dzakatiwira. Madzitateguru edu akaenda kuIjipiti kwatakagara kwenguva ndefu. VaIjipiti vakaonesa nhamo isu namadzitateguru edu. Patakachema kuna Tenzi akanzwa kuchema kwedu, akatitumira mutumwa wake, akatibudisa muIjipiti. Iye zvino tiri paKadheshi, guta riri kumucheto kwenyika yenyu. Zvino mungatibvumirewo here kupfuura nomunyika yenyu. Isu hatizobudi munzira tichipinda nomuminda yenyu yembesanwa kana yemigirepisi, kana kunwa mvura yetsime renyu zvaro. Ticharamba tiri Mumugwagwa Mukuru Wamambo, hatizotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tabuda munyika yenyu.” Asi Edhomu akati, “Haupfuuri nomangu muno. Kana ukangodaro ndinokuvinga nehondo yangu.” VaIsiraeri vakati, “Ticharamba tiri mumugwagwa mukuru chete. Kana isu nezvipfuwo zvedu tikanwa mvura yenyu, tinoiripa. Tiregei tingotsikawo nomunyika yenyu. Ndicho chichemo chedu choga.” Asi Edhomu akati, “Hazviitiki kuti mupfuure nomuno.” Akabva avabudira nehondo yake yakasimba, ina varwi vazhinji zhinji. Ndiko kuramba kwakaita Edhomu kuti vaIsiraeri vapfuure nomunyika yake, vaIsiraeri vakasiya zveEdhomu vakaenda nokumwe. Chita chose chavaIsiraeri chakasimuka paKadheshi, chikandosvika pagomo reHoru. Pagomo reHoru ipapo pamuganhu wenyika yaEdhomu, Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nguva yokuti Aroni afe, achienda kune vamwe vake vachakabvu yasvika. Haasiri kuzopinda munyika yandakapa vaIsiraeri nokuti makapikisana nezvandakareva paMeribha. Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo mugomo reHoru. Bvisa Aroni hanzu dzake dzoupristi, upfekedze mwana wake Ereazari. Aroni achafira ipapo achibva aenda kune vamwe vake vachakabvu.” Mosesi akaita zvaakaudzwa naTenzi. Vakakwira mugomo reHoru vaIsiraeri vose vakatarisa. Mosesi akabvisa Aroni hanzu dziya, ndokudzipfekedza Ereazari mwanakomana waAroni. Aroni akabva afira pamusoro pegomo ipapo. Mosesi naEreazari vakaburuka mugomo. Gungano rose rakaona kuti Aroni afa. Vose vemhuri yaIsiraeri vakamuchema kwamazuva makumi matatu. Mambo weAradhi muKanani akanga agere kuNegevhu, kumaodzanyemba kweKanani akanzwa kuti vaIsiraeri vari kuuya nenzira yokuAtarimu. Akandorwisa vaIsiraeri akatapa vamwe vavo. Ipapo vaIsiraeri vakapika mhiko kuna Tenzi vachiti, “Kana mukatiita kuti tikunde vanhu ava, maguta avo tinoaita chibayiro, tichiaparadza zvachose.” Tenzi akanzwa zvakataurwa neIsiraeri akavabatsira kukunda vaKanani. VaIsiraeri vakavaparadza zvachose pamwechete namaguta avo. Ipapo pakazotumidzwa zita rokuti Horima. VaIsiraeri vakabva pagomo reHoru vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu. Asi vari munzira kudaro vanhu vakaora mwoyo, vakanyunyutira Mwari naMosesi vachiti, “Ko makatiburitsireiko kuIjipiti? Heya maida kuti tifire mugwenga muno! Hamuna chokudya kana mvura. Tafinhwa notuchingwa utwu tusina maturo!” Tenzi akatumira vaIsiraeri nyoka dzinouturu hunopisa somoto, dzikavaruma, vanhu vazhinji veIsiraeri vakafa. Vanhu vakauya kuna Mosesi vakati, “Takatadza nokuti takanyunyutira Tenzi nemi. Tinamatireiwo kuna Tenzi kuti atibvisire nyoka idzi.” Naizvozvo Mosesi ndokuvakumbirira. Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Pfura nyoka inouturu hunopisa somoto, uiturike pabango, saka ani naani anenge arumwa, kana akatarisa nyoka yaunopfura, achararama.” Mosesi akapfura nyoka yendarira akaiturika pabango. Naizvozvo ani naani ainge arumwa, aiti akangotarisa nyoka yendarira obva ararama. VaIsiraeri vakafamba vakandodzika matendhe avo kuObhoti. Vakazobva kuObhoti vakandodzika matendhe avo paIyeabharimu, murenje rakatarisana nenyika yaMoabhu nechokumabvazuva. Vakazobvapo vakandodzika matendhe avo kubani reZeredhi. Vakazobvapo vakandodzika matendhe avo mhiri kwerwizi Arinoni ruri murenje rinosvika kunyika yavaAmori. Arinoni ndirwo runoganhura nyika yavaMoabhu navaAmori. Ndokusaka zvakanyorwa mubhuku rinonzi Bhuku reHondo dzaTenzi zvinonzi; Guta reWahebhu riri muSufa namapani aArinoni namawere amapani anosvika kuAru akatsamirana nemiganhu yeMoabhu. Vakasimudzira rwendo rwavo vakasvika patsime reBheeri ndipo patsime paya pakaudzwa Mosesi naTenzi kuti, “Unganidza vanhu ndivape mvura.” VaIsiraeri vakaimba rwiyo urwu runoti; Iwe tsime, buritsa mvura. Riimbirei rumbo. Tsime rakacherwa namachinda rafukunurwa navatungamiriri vavanhu. Rakacherwa netsvimbo youshe rakacherwawo nemidonzvo yavo. Vakabva murenje vakaenda kuMatana. Vakabva paMatana vakaenda kuNaharieri. Vakabva Naharieri vakaenda kuBhamoti. Vakazobva kuBhamoti vakaenda kumupata uri kubani reMoabhu pamusoro pegomo rePisiga pakatarisana nerenje. VaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, vachiti, “Dotibvumiraiwo kuti tipfuure nomunyika yenyu. Hatizobudi munzira tichipinda muminda yenyu yembesa kana yemivhaini, kana kunwa mvura yetsime renyu zvaro. Ticharamba tiri muMugwagwa Mukuru Wamambo kudzamara tabuda munyika yenyu.” Asi Sihoni haana kubvumira vaIsiraeri kuti vapfuure nomunyika yake. Akatounganidza hondo yake yose, akandorwisa vaIsiraeri kurenje, vaIsiraeri vakavarakasha namapakatwa, vakavatorera nyika yavo kubvira muna Arinoni kundosvika muna Jabhoko, vachindogumira kunyika yavaAmoni nokuti muganho wavaAmoni wakanga wakanyatsodzivirirwa. Saka vaIsiraeri vakatorera vaAmori maguta avo ose, vakagaramo vakatora kunyange Heshibhoni nemisha yakanga yakaripoteredza. MuHeshibhoni ndimo maiva mumuzinda waSihoni mambo wavaAmori, akarwa naakanga ari mambo wavaMoabhu akamubvutira nyika yake yose kundosvika muna Arinoni. Ndokusaka vadetembi venziyo dzengondo vachiti “Uyai kuHeshibhoni, rivakwe patsva, guta raSihoni rinyatsoti dzuu kumira. Moto wakatombobudawo muHeshibhoni, uchibva muguta raiye mambo Sihoni. Wakaroromesa Aru guta ravaMoabhu, ukaparadza machinda okuArinoni. Zvakuwana nhasi Moabhu, maororwa imi vanamati vaKemoshi. Kemoshi akarega vanakomana vachiva vapoteri, vanasikana vake vachiva nhapwa. Vakava nhapwa dzaSihoni mambo wavaAmori. Vana vavo vose vakaparadzwa Vakaparadzwa kubvira kuHeshibhoni kusvikira Dhibhoni, kubvira kuNashimu kusvikira kuNofa, pedyo neMadhebha.” Naizvozvo vaIsiraeri vakabva vagara munyika yavaAmori, Mosesi ndokutuma vanhu kundosora guta reJazeri. VaIsiraeri vatora misha yakanga yakaripoteredza, vakadzingawo vaAmori vaigaramo. Vakazotsauka vakaenda nokuBhashani. Ogi mambo weBhashani akavavinga nehondo yake akavarwisa kuEdhirei. Asi Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Usambomutya zvako. Ndamuisa mumaoko ako navanhu vake vose nenyika yake. Zviya zvawakaita kuna Sihoni mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni ndizvo zvaunofanira kuita kwaari.” Naizvozvo vaIsiraeri vakazomuuraya pamwechete navanakomana vake navanhu vake vose. Kusvikira pasisina nomumwe wavo akapunyuka. Nyika yake yakabva yava yavo. VaIsiraeri vakazoenda vakandodzika matendhe avo mumapani aMoabhu mhiri kwaJorodhani pakatarisana neJeriko. Ipapo Bharaki mwana waZipori mambo weMoabhu akaona zvakanga zvaitwa navaIsiraeri kuvaAmori, VaMoabhu vakavatya zvikuru nokuti vakanga vakawanda kwazvo. VaMoabhu vakadedera vaIsiraeri zvikuru. VaMoabhu ndokutaurira vakuru vakuru vavaMidhiani vachiti, “Zvino gurumwandira ravanhu ava richaparadza zvose zvakatipoteredza semombe dzapinda mumunda.” Naizvozvo Bharaki mwana waZipori akanga ari mambo wavaMoabhu panguva iyoyo akatuma nhume kuna Bhiriamu mwanakomana waBheori, aigara kuPetori pedyo norwizi munyika yeAmawu kundomudaidza achiti, “Inzwaiwo zvava kuno, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika, vagere pakatarisana nemi. Zvino ndapota uyai muzondirengererawo, vanhu ava rushambwa nokuti vane simba kupinda isu. Zvimwe ndingavakunde ndikavadzinga munyika. Ndinoziva kuti ani naani wamunokomborera anokomborerwa, uye wamunorengerera rushambwa anobva aona chinomuwana.” Vakuru vakuru vavaMoabhu, navakuru vakuru vavaMidhiani vakaenda vakabata mari yomuripo wokurengerera rushambwa mumaoko. Vakasvika kuna Bhiriamu vakamuudza shoko raBharaki. Bhiriamu ndokuti, “Imi chirarai zvenyu pano, mangwana ndinozokuudzai zvandinenge ndataurirwa naTenzi.” Saka machinda aMoabhu akararapo paBhiriamu. Mwari akauya kuna Bhiriamu akati, “Ko varume ava vaunavo ndivanaani?” Bhiriamu ndokupindura Mwari achiti, “Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu akanditumira shoko achiti, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika. Ndapota uyai muzovarengerera rushambwa nokuti vane simba kupinda ini. Zvimwe tingavakunde tikavadzinga munyika yedu.” Mwari akati kuna Bhiriamu, “Usaende navanhu ava. Rega kundorengerera rushambwa kuvanhu ivavo nokuti vakakomborerwa.” Mangwana acho Bhiriamu akafumoudza machinda aBharaki kuti, “Dzokerai zvenyu kunyika yenyu. Tenzi aramba kuti ndiende nemi.” Machinda avaMoabhu akasimuka akaenda kuna Bharaki akasvikoti, “Bhiriamu aramba kuuya nesu.” Bharaki akatumazve mamwe machinda akapfuura aya aya uwandi nechiremera, vakaenda kuna Bhiriamu vakandoti, “Zvanzi naBharaki mwana waZipori pasava nechinokutadzisai kuuya kwandiri, nokuti ndichakupai mubairo mukuru kwazvo. Chero chamunoreva ndichachiita. Saka chiuyai zvenyu muzondirengererera rushambwa vanhu ava.” Bhiriamu akapindura varanda vaBharaki achiti, “Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingatsaudziri shoko raTenzi Mwari wangu ndichiritapudza kana kuriwedzera. Zvino ndapota imiwo raraiwo pano nhasi kuti ndigoziva kuti Tenzi achandiudza zvimwe here.” Mwari akauya kuna Bhiriamu usiku ihwohwo akati, “Kana varume ava vakauya kuzokudaidza, simuka zvako uende navo. Asi zvandinokuudza ndizvo chete zvauchaita.” Naizvozvo Bhiriamu akamuka mangwanani ndokusungirira chityaro padhongi ndokuenda namachinda eMoabhu. Asi kuenda kwake kwakashatirisa Mwari. Zvaaifamba akatasva dhongi rake aina varanda vake vaviri, mutumwa waTenzi akandomira munzira kumudzivisa. Dhongi parakaona mutumwa waMwari akamira munzira akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa, rakabva ratsauka roenda musango. Bhiriamu ndokurirova achiridzorera munzira. Mutumwa waTenzi akandomira pakanzira kakanga kari pakati peminda yemigirepisi paiti uku rusvingo uku rusvingo. Dhongi parakaona mutumwa waTenzi rakasebera nokurusvingo rikadzvanyidzira gumbo raBhiriamu kurusvingo rwuya. Ndokubva arirova zvakare. Mutumwa waTenzi akaenda mberi akandomira pakamanikana pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Dhongi parakaona mutumwa waTenzi, rakarara pasi, Bhiriamu akaritasva kudaro. Bhiriamu akaviruka nehasha akarova dhongi netsvimbo yake. Ipapo Tenzi akapa dhongi kuti ritaure richiti, “Ko ndaiteko kuzondirova kudai katatu kose?” Bhiriamu ndokuti kwariri, “Nokuti uri kutoita zvako zvokutamba neni. Dai ndanga ndiine bakatwa rangu ndingadai ndakuuraya iye zvino uno.” Dhongi rakapindura Bhiriamu richiti, “Handisiri ini dhongi renyu here ramakatasva upenyu hwenyu hwose kusvikira nhasi? Makambondiona ndichikuitirai zvakadai here?” Akati, “Kwete.” Tenzi akabva apengenutsa meso aBhiriamu akaona mutumwa waMwari amire munzira, akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa. Bhiriamu akakotamisa musoro wake ndokubva azvambarara. Mutumwa waTenzi ndokuti, “Waroverei dhongi rako katatu kose? Chinzwa, ini ndauya kuzokudzivisa nokuti zvauri kufambira zvakaipa.” Asi dhongi randiona rikandinyenyeredza katatu kose. Dai risina kundinyenyeredza ndingadai ndatokuuraya iro ndarirega riri benyu. Bhiriamu ndokupindura mutumwa waTenzi achiti, “Inga ndaita chitadzo. Ndanga ndisingazivi kuti imi manga mumire munzira muchindidzivisa. Zvino kana muchiona zvakaipa, ndodzokera zvangu.” Mutumwa waTenzi ndokupindura Bhiriamu achiti, “Enda zvako navo. Asi chandinenge ndakuudza ndicho chete chauchataura.” Naizvozvo Bhiriamu akaenda zvake namachinda aya aBharaki. Bharaki zvaakanzwa kuti Bhiriamu ari kuuya, akaenda kundomuchingura kuguta reMoabhu riri kuna Arinoni rwizi ruri pamuganhu wenyika yake. Bharaki akati kuna Bhiriamu, “Ko inga ndakakutumirai nhume kuzokudaidzai wani, makaregererei kuuya? Chokwadi handikwanisi here ini kukupai mubairo?” Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Hezvinoka ndauya. Asi ndingataure here chero chandingangoda kutaura? Shoko randinenge ndapiwa naMwari ndiro chete randichataura.” Bhiriamu ndokuenda naBharaki vakasvika kuKiriatihuzoti. Bharaki akapira mombe nehwai akabvisawo chokupa Bhiriamu namachinda aakanga anawo. Ramangwana racho Bharaki akatora Bhiriamu akakwira naye kunzvimbo yakakwirira yeBhamotibhaari, ari ipapo aikwanisa kuona chikamu chavaIsiraeri. Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Ndivakire atari nomwe, ugounza nzombe nomwe nehondohwe nomwe pano apa.” Bharaki ndokuita sezvakanga zvataurwa naBhiriamu. Bharaki naBhiriamu Vakapira mupiro wehandira newehondohwe imwechete paatari imwe neimwe. Ipapo Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Mirai pedyo nechibayiro chenyu chokupisa. Ini ndomboti sudurukei, zvimwe Tenzi angauye kuzosangana neni. Zvose zvaanenge andiratidza ndichakuudzai.” Akaenda pamhene pakakwirira. Mwari ndokusangana naBhiriamu. Bhiriamu akati, “Ndagadzira atari nomwe, ndikapira handira nehondohwe paatari imwe neimwe.” Tenzi akaudza Bhiriamu zvokundotaurira Bharaki achiti, “Chidzokera kuna Bharaki umuudze izvozvo.” Bhiriamu akadzokera kwakare, wanei Bharaki achakamira pane chibayiro chake chokupisa, iye namachinda ose avaMoabhu. Bhiriamu ndokutanga kutaura shoko rake achiti, “Bharaki akandiunza kubva kuSiria. Mambo wavaMoabhu akandibvisa kunyika yamakomo yokumabvazuva, achiti, ‘Uya kuno undirengererewo Jakobho Uya uzoshora vaIsiraeri.’ Ndingarengerere sei rushambwa vanhu vasina kurengererwa naMwari? Ndingashore sei vanhu vasina kushorwa naTenzi. Ndiri pamusoro pamakomo pano ndinovaona, ndiri pazvikomo pano ndinovatarisa, onei vari vanhu vanoda kugara voga, vasingazviverengeri mukati mamamwe marudzi. Ndiani angaverenge guruva rakadai kuwanda, saJakobho, kana kuverenga katsama zvako kavaIsiraeri. Regai ndife zvangu rufu rwavakarurama, kuguma kwangu kufananewo nokwavo.” Bharaki ndokutaurira Bhiriamu achiti, “Ko chiiko chawandiitira ichi? Ndakakuunza kuti uzorengerera rushambwa vavengi vangu, asi iwe watonyatsovakomborera zvako!” Bhiriamu akati, “Handiti zvandinenge ndaudzwa naTenzi ndizvo chete zvandinofanira kutaura?” Bharaki akamutaurira kuti, “Handei kune imwe nzvimbo kwamungakwanise kuvatarisa muri, muchivaona. Munenge musingaoni zvenyu vose, asi vashoma chete, mundirengererere vanhu ivavo rushambwa muriko.” Akaenda naye kuTsofimu pamusoro pegomo rePisiga. Akavaka atari nomwe ipapo ndokupira handira nehondohwe paatari imwe neimwe. Bhiriamu ndokutaurira Bharaki achiti, “Mirai pano pane chibayiro chenyu chokupisa. Ini ndichambondosangana naMwari uko.” Tenzi akasangana naBhiriamu, ndokumupa zvokundotaura achiti, “Chidzokera kuna Bharaki undomuudza izvozvo.” Akadzokera kuna Bharaki kuya wanei achakangomira pane chibayiro chake chokupisa chiya aina machinda eMoabhu. Bharaki akati kwaari, “Zvanzi kudii naTenzi?” Bhiriamu akaenderera mberi kuporofita achiti, “VaBharaki wee simukai munzwe, dombondinzwaiwo imi mwanakomana waZipori, Mwari haazi munhu, haangarevi nhema, haazi munhu, haasanduki sanduki mukutaura. Ko munoti angataure chinhu pedzepo orega kuchiita here? Angatsidze chinhu chaasingazoita here? Chinzwai, ini ndanzi ndivakomborere, iye atovapa chikomborero ini handingachibvisi. Uipi hahuna kuonekwa muna Jakobho, kukanganisa hakuna kuonekwa muvaIsiraeri. Tenzi Mwari wavo anavo, kupemberera Tenzi samambo wavo kunonzwika pakati pavo. Mwari akavaburitsa muIjipiti, achivarwira nesimba semvumba. Zvoun'anga Jakobho hazvimukuvadzi, kana zvokurengerera vaIsiraeri hazvipe rushambwa. Vanhu vachataura zvaJakobho nezvavaIsiraeri vachiti, hezvoka zvakaitwa naMwari. Tarisai muone rudzi rwavaIsiraeri! Runoti kwanyanu seshumba hadzi. Rugonyatsoti kangarara somukono weshumba isingarari pasi kusvikira yadya chainovhima, kana kunwa ropa rechayauraya.” Bharaki ndokuti kuna Bhiriamu, “Chisva warega zvako kuvarengerera kana kumbovakomborera.” Asi Bhiriamu akati, “Handina kukuudzai here kuti zvose zvandinenge ndaudzwa naTenzi ndizvo zvandichaita?” Bharaki akataurira Bhiriamu achiti, “Handei kune imwe nzvimbo. Zvimwe Mwari angafare kuti uvarengerere uriko.” Saka Bharaki akaenda naBhiriamu kugomo rePeori rakatarisana nerenje. Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Ndivakirei atari nomwe pano, mundipe handira nomwe nehondohwe nomwe.” Bharaki akaita zvaakaudzwa naBhiriamu. Akapira handira nehondohwe paatari imwe neimwe. Bhiriamu paakaona kuti Tenzi aifadzwa nokukomborera vaIsiraeri haana kuzombondotsvaka chiratidzo sezvaaimboita. Asi akatarisa kurenje, akaona vaIsiraeri vakadzika matendhe avo dzinza nedzinza, Mweya waMwari ndokuuya paari. Akaenderera mberi nokuporofita kwake achiti, “Chirevo chaBhiriamu mwanakomana waBheori, chirevo chomurume akapengenutswa meso ake. Chirevo chomunhu anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chaSamasimbaose, anoti pasi zvambarara meso ake achipengenutswa. A-a manakiroi akaita matendhe ako Jakobho, naiwoka madzikiro ako matendhe iwe Isiraeri! Akaita samapani anoenda uko nokoko, samapindu ari munhivi dzerwizi samagavakava, akasimwa naTenzi, semisidhari iri padeketeke remvura. Zvirongo zvavo zvichafashukira nemvura, mbesa dzavo dzichawana mvura yakawanda. Kukudzwa kwamambo wavo kuchadarika kwaAgagi, ushe hwake huchaita mukurumbira. Mwari akavaburitsa kuIjipiti, achivarwira nesimba semvumba, ndudzi dzavanhu dzinovavenga vachadziparadza, mapfupa avavengi vavo vachaati bwabwabwa vachivabvoora nemiseve yavo. Seshumba vaIsiraeri vanoti hwata vachivata pasi, vanoita seshumba hadzi, ndianiko angavadenhe. Wose anokukomborera, ngaakomborerwe. Wose anokurengerera rushambwa ngaawire norushambwa.” Bharaki akashatiriswa naBhiriamu, ndokurovanisa maoko ake pamwechete. Bharaki ndokuti kuna Bhiriamu, “Ndakakudaidzira kuzorengerera rushambwa vavengi vangu, asi zvino watovakomborera zvako katatu kose. Zvino chitiza, dzokera kumusha kwako. Ndakamboti ndichakupa mubairo, asi Tenzi akunyimisa mubairo wacho.” Bhiriamu ndokuti kuna Bharaki, “Ko handina kuudza nhume dzenyu dzamakanditumira kuti, ‘Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingambotsaudziri shoko raTenzi ndichiita zvakanaka kana zvakaipa zvandinoda pachangu.’ Zvinenge zvataurwa naTenzi ndizvo zvandichataura. “Zvino ndava kudzokera kwedu, kuna vanhu vorudzi rwangu. Asi regai ndifanokuudzai zvichaitwa navaIsiraeri kuvanhu venyu mune ramangwana.” Bhiriamu ndokuenderera mberi nokuporofita achiti, “Chirevo chaBhiriamu mwanakomana waBheori, chirevo chomurume akapengenutswa meso ake. Chirevo chomunhu anonzwa mashoko aMwari, anopiwa ruzivo noWokumusorosoro, anoona chiratidzo chaSamasimbaose, anoti pasi zvambarara, meso ake achipengenutswa. Ndinomuona, asi zvandinoona hazvisi zvanhasi, ndinomutarisa asi haasi pedyo. Nyenyedzi ichauya ichibva muna Jakobho, muvaIsiraeri muchava nomubati wetsvimbo youshe, huma yaMoabhu achaitekeshura achaparadza vanakomana vaSheti. Achakunda Edhomu muvengi wake, makomo avo eSeiri achaatora. Isiraeri acharamba achikunda. Muna Jakobho muchava nomutongi achaparadza vaya vakasara vari vapenyu mumaguta.” Bhiriamu akaona vaAmareki, ndokuporofita nezvavo achiti, “Simba ravaAmareki raidarika ramarudzi ose, asi vachaguma vaparadzwa zvachose.” Bhiriamu akaona vaKeni, ndokuporofita nezvavo achiti; “Paugere hapana chichakuwana, dendere rako rakavakirwa mudombo. Kunyange zvakadaro vaKeni vachaparadzwa. Muchagara muri nhapwa dzavaAsiria kusvikira riniko?” Bhiriamu akazoporofita achiti; “Ndiani angararame kana Tenzi achiita zvakadai? Asi ngarava dzichabva kuSaipurasi dzichaonesa nhamo Asiria naEbheru. Asi ivo pachavo vachaparadzwawo.” Bhiriamu akazosimuka akadzokera kumusha kwake. Bharaki akaendawo kwake. VaIsiraeri pavakanga vagere mubani remibayamhondoro reShitimu, varume vakatanga kuita unzenza navakadzi vorudzi rwavaMoabhu. Vakadzi ivavo vakavakoka kuzvibairo zvavamwari vavo. Vanhu vakadya vakapfugamira vamwari vavo ivavo. Naizvozvo vaIsiraeri vakazvipinza muuranda hwokunamata Bhaari mwari wokuPeori. Tenzi akashatiriswa navaIsiraeri, akabva ataurira Mosesi kuti, “Tora vatungamiriri vose vavaIsiraeri uuye navo pana Tenzi, uvasungirire vafe pamberi paTenzi masikati machena kuti hasha dzaTenzi dzinotyisa dzichirega kuvirukira vaIsiraeri.” Mosesi akataurira vatongi vavaIsiraeri achiti, “Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye ani naani akazvipinza muuranda hwokunamata Bhaari, mwari wokuPeori.” Ipapo mumwe murume muIsiraeri akauya nomukadzi worudzi rwavaMidhiani akapinda naye mutendhe rake, achionekwa naMosesi negungano rose ravaIsiraeri rakanga richichema riri kumusuo wetendhe rokusanganira. Finiyasi mwanakomana waEreazari, muzukuru womupristi Aroni, paakazviona, akabva paiva negungano riya, akandotora pfumo rake, ndokutevera murume uya mutendhe muya, ndokusvikosonanidza nepfumo nechapadumbu murume muIsiraeri nomukadzi uya. Ndiko kumiswa kwakaitwa denda pavaIsiraeri. Asi vanhu vakanga vatofa nedenda iroro vaiva zviuru makumi maviri nezvina. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Finiyasi mwanakomana waEreazari, muzukuru womupristi Aroni, apodza kutsamwira vaIsiraeri kwandanga ndaita. Atsamwira vanhu vasina kundiremekedza ini, sokuvatsamwira kwandinoitawo ini pachangu. Saka ndisina kuzoramba ndichiparadza vaIsiraeri pandanga ndavatsamwira. Naizvozvo mutaurire kuti, ndichaita chitenderano chorugare naye. Chitenderano ichi chokuti vava vapristi nokusingapere ndechake iye nezvizvarwa zvake nokuti akatsamwira vanhu vasina kuremekedza Tenzi wake akayananisa vaIsiraeri naTenzi.” Zita romurume muIsiraeri uya akaurayiwa pamwechete nomukadzi worudzi rwavaMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, aiva mutungamiriri weimwe mhuri yomudzinza rokwaSimeoni. Zita romukadzi wechiMidhiani akaurayiwa uya ainzi Kazibhi, aiva mukunda waZuri akanga ari mukuru wedzinza rimwe ravaMidhiani. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Rwisai vaMidhiani muvaparadze, panyaya iya yaKazibhi hanzvadzi yavo, mukunda wejinda romuMidhiani, yakaurayiwa panguva iya yedenda rakauraya vanhu paPeori.” Denda riya rakati rapera, Tenzi akazotaurira Mosesi naEreazari mwanakomana womupristi Aroni achiti, “Verengai gungano rose ravaIsiraeri vanhurume vana makore makumi maviri, navane anopfuura iwayo, verengai dzinza nedzinza vaIsiraeri vose vanokwanisa kuenda kuhondo.” Mosesi nomupristi Ereazari vakandotaurirana navanhu kumapani eMoabhu mhiri kwaJorodhani paJeriko vachiti, vaverenge vanhurume vana makore makumi maviri navana anopfuura iwayo, sokuudzwa kwakaita Mosesi naTenzi. VaIsiraeri vakabuda kuIjipiti vaiti: mudzinza raRubheni, dangwe raJakobho maiva nemhuri dzavanakomana vake vaiti: mhuri yokwaHanoki tateguru wayo ari Hanoki, mhuri yokwaParu, tateguru wayo ari Paru, mhuri yokwaHezironi tateguru wayo ari Hezironi, mhuri yokwaKarumi tateguru wayo ari Karumi. Vose vakaverengwa mudzinza raRubheni, vaikwana makumi mana ezviuru nezviuru zvitatu namazana manomwe ana makumi matatu avanhu. Mwanakomana waParu aiva Eriabhu. Vanakomana vaEriabhu vaiva Nemueri naDhatani naAbhiramu. Ndivo Dhatani naAbhiramu vatungamiriri vaya vakanga vasarudzwa mugungano ravaIsiraeri. Asi vakazopikisana naMosesi naAroni, vakaita rimwe naKora paya pavakapikisa Tenzi. Ndipo pakashama nyika muromo wayo ikavamedza pamwechete naKora neboka rake, pakaparadzwa varume mazana maviri anamakumi mashanu, chikava chiratidzo chokuyambira vanhu. Asi vana vaKora havana kuurayiwa. Mudzinza rokwaSimeoni makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaNemueri tateguru wayo ari Nemueri, mhuri yokwaJamini tateguru wayo vari Jamini, mhuri yokwaJakini tateguru wayo ari Jakini, mhuri yaZera tateguru wayo ari Zera, mhuri yaShauri tateguru wayo ari Shauri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaSimeoni, vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri namazana maviri. Mudzinza rokwaGadhi makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaZefoni tateguru wayo ari Zefoni, mhuri yaHagi tateguru wayo ari Hagi, mhuri yaShuni tateguru wayo ari Shuni, mhuri yaOzini tateguru wayo ari Ozini, mhuri yaEri tateguru wayo ari Eri, mhuri yaArodhi tateguru wayo ari Arodhi, mhuri yaAreri tateguru vayo vari Areri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaGadhi, vaikwana makumi mana ezviuru namazana mashanu avanhu. Judha aivawo navanakomana vainzi Eri naOnani, asi vakanga vatofa kare munyika yeKanani. Saka vakaverengwa mudzinza rokwaJudha mhuri nemhuri, ndevemhuri yaShera tateguru wayo ari Shera, mhuri yaPerezi tateguru wayo ari Perezi, mhuri yaZera tateguru wayo ari Zera. Vanakomana vaPerezi nemhuri dzavo ndivo ava vanoti; mhuri yaHezironi tateguru wayo ari Hezironi, mhuri yokwaHamuri tateguru wayo ari Hamuri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaJudha vaikwana makumi manomwe ezviuru nezviuru zvitanhatu namazana mashanu avanhu. Mudzinza rokwaIsakari makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaTora tateguru wayo ari Tora, mhuri yokwaPuni tateguru wayo ari Puvha, mhuri yokwaJashubhi tateguru wayo ari Jashubhi, mhuri yokwaShimuroni tateguru wayo ari Shimuroni. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaIsakari vaikwana makumi matanhatu ezviuru nezviuru zvina, namazana matatu avanhu. Mudzinza rokwaZebhuroni makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaSeredhi tateguru wayo ari Seredhi, mhuri yokwaEroni tateguru wayo ari Eroni, mhuri yokwaJareeri tateguru wayo ari Jareeeri. Vose vakaverengwa mudzinza rokwaZebhuroni vaikwana makumi matanhatu ezviuru, namazana mashanu avanhu. Mudzinza rokwaJosefi makaverengwa mhuri nemhuri, dzaManase nedzaEfuremu. Mumhuri dzokwaManase kwaiti mhuri yokwaMakiri tateguru wayo ari Makiri. Makiri ndiye baba vaGiriadhi. Mhuri yokwaGiriadhi tateguru vayo ndiGiriadhi. Giriadhi akavawo navanakomana vake nemhuri dzavo dzinoti mhuri yokwaJezeri tateguru wayo ari Jezeri, mhuri yokwaHereki tateguru wayo ari Hereki, mhuri yokwaAsirieri tateguru wayo ari Asirieri, mhuri yokwaShikemu tateguru wayo ari Shekemu, mhuri yokwaShemidha tateguru wayo ari Shemidha, mhuri yokwaHeferi tateguru wayo ari Heferi. Asi Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana, asi aiva navanasikana. Vanasikana vaZerofehadhi vainzi Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza. Vose vakaverengwa mudzinza raManase vaikwana makumi mashanu ezviuru nezviuru zviviri, namazana manomwe avanhu. Mudzinza rokwaEfuremu makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaShutera tateguru wayo ari Shutera, mhuri yokwaBhekeri tateguru wayo ari Bhekeri, mhuri yokwaTahani tateguru wayo ari Tahani. Shutera ndiye baba waErani tateguru wemhuri yavaErani. Vose vakaverengwa mumhuri yaEfuremu vaikwana makumi matatu ezviuru nezviuru zviviri, namazana mashanu. Ivava ndivo vomudzinza rokwaJosefi vakaverengwa mhuri nemhuri. Mudzinza rokwaBhenjamini makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaBhera tateguru wayo ari Bhera, mhuri yokwaAshibheri tateguru wayo ari Ashibheri, mhuri yokwaAhiramu tateguru wayo ari Ahiramu, mhuri yokwaShefufamu tateguru wayo ari Shefufamu, mhuri yokwaHufamu tateguru wayo ari Hufamu. Vanakomana vaBhera ndiAridhi naNaamani. Mhuri yakwaAridhi tateguru wayo ndiAridhi, mhuri yokwaNaamani tateguru wayo ndiNaamani. Vose vakaverengwa mhuri nemhuri mudzinza rokwaBhenjamini vaikwana makumi mana ezviuru nezviuru zvishanu, namazana matanhatu. Mudzinza raDhani makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaShuhamu tateguru wayo ari Shuhamu. Ndidzo mhuri dzomudzinza rokwaDhani dzakaverengwa mhuri nemhuri. Vanhu vakaverengwa vose mhuri nemhuri dzokwaShuhamu vakakwana makumi matanhatu ezviuru nezviuru zvina, namazana mana. Mudzinza raAsheri makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaImuna tateguru wayo ari Imuna, mhuri yokwaIshivhi tateguru wayo ari Ishivhi, mhuri yaBheria tateguru wayo ari Bheria. Bheria ndiye tateguru waHebheri naMarikieri, mhuri yokwaHebheri tateguru wayo ari Hebheri, mhuri yaMarikieri tateguru wayo ari Marikieri. Zita romwanasikana waAsheri rainzi Sera. Ndidzo mhuri dzomudzinza raAsheri, vose vakaverengwa vakakwana makumi mashanu ezviuru nezviuru zvitatu, namazana mana avanhu. Mudzinza rokwaNafutari makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaJahizeeri tateguru wayo ari Jahizeeri, mhuri yaGuni tateguru wayo ari Guni, mhuri yokwaJezeri tateguru wayo ari Jezeri, mhuri yokwaShiremu tateguru wayo ari Shiremu. Idzodzi ndidzo mhuri dzomudzinza rokwaNafutari, vose vakaverengwa vakakwana makumi mana ezviuru nezviuru zvishanu, namazana mana avanhu. Uhu ndiwo uwandi hwavaIsiraeri vakaverengwa. Vakakwana mazana matanhatu ezviuru nechiuru chimwechete, chine mazana manomwe namakumi matatu avanhu. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Vanhu ivavo ngavagoverwe nyika kuti ive nhaka yavo maererano nouwandi hwavo. Dzinza rina vanhu vazhinji ngaripiwe mugove wenhaka mukuru. Dzinzawo rina vanhu vashoma, ngaripiwe mugove wenhaka muduku. Dzinza nedzinza ngaripiwe mugove wenhaka maererano nouwandi hwevemo. Nyika ngaigoviwe nechin'ange, vagogaramo mhuri nemhuri, dzinza nedzinza. Nhaka iyoyi inofanira kugoverwa nechin'ange maererano nouwandi kana ushoma hwavanhu vari mudzinza iroro.” Mudzinza rokwaRevhi ava ndivo vakaverengwa mhuri nemhuri; makaverengwa mhuri yokwaGerishoni tateguru wayo ari Gerishoni, nemhuri yokwaKohati tateguru wayo ari Kohati, nemhuri yokwaMerari tateguru wayo ari Merari. Mhuri dzomudzinza rokwaRevhi dzaiva mhuri yokwaRibhini, nemhuri yokwaHebhuroni, nemhuri yokwaMaari nemhuri yokwaMushi nemhuri yaKora. Kohati aiva baba vaAmuramu. Zita romudzimai waAmuramu rainzi Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi akaberekerwa Ijipiti. Ndiye akabereka Aroni naMosesi nehanzvadzi yavo Miriamu. Aroni ndibaba vaNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. Asi Nadhabhu naAbhihu vakafa paya pavakapira Tenzi moto usingabvumirwi. Vose vakaverengwa vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zvitatu. Vaiva vanhurume vose, kubvira pavacheche vane mwedzi mumwechete, wokuberekwa zvichikwira, vakanga vasina kuverengwa pamwechete navaIsiraeri nokuti vakanga vasingagoverwi nhaka pakati pavo. Ivava ndivo vakaverengwa naMosesi nomupristi Ereazari. Vakaverenga gungano ravaIsiraeri vari mumapani eMoabhu pedyo naJorodhani kuJeriko. Asi pane vakaverengwa ipapo pakanga pasisina kunyange murume mumwechete zvake wavaya vakamboverengwa naMosesi nomupristi Aroni, pavakamboverenga gungano ravaIsiraeri kurenje reSinai, nokuti Tenzi akanga avapikira achiti, “Vanotofira murenje.” Saka hakuna kana munhu wavo wechirume akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshuwa mwanakomana waNuni. Vanasikana vaZerofehadhi vakauya kuna Mosesi. Zerofehadhi uyu aiva mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, saka aiva womudzimhuri dzokwaManase mwanakomana waJosefi. Vanasikana ivavo vainzi Mahara naNowa naHogira naMirika naTiriza. Vakaenda kuna Mosesi naEreazari mupristi navatungamiriri negungano rose kumusuo wetendhe rokusangana vakati, “Baba vedu isu vakafira kurenje. Asi vakanga vasiri muboka raKora riya rakaungana kuzopikisa Tenzi. Vakafawo nezvitadzo zvavo. Asi vakanga vasina mwana mukomana. Ko zvino zita rababa vedu rorovawo here mumhuri yavo, pamusana pokuti vakanga vasina mwana mukomana? Tipei nhaka pamwechete nehama dzababa vedu.” Mosesi akandoisa chichemo chavo kuna Tenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zvataurwa navanasikana vaZerofehadhi ndizvo chaizvo. Vape mugove wenhaka pamwechete nehama dzababa vavo. Ita kuti vapiwe nhaka yababa wavo. Taurira vaIsiraeri kuti kana murume akafa asina kusiya mwana mukomana, nhaka yake ngaipiwe vanasikana vake. Kana asina kusiya mwanasikana nhaka yake ngaipiwe vakoma kana vanun'una vake. Kana asina vakoma kana vanun'una, nhaka yake ngaipiwe vakoma kana vanun'una vababa vake. Kana baba wake asina mukoma kana munun'una nhaka yake ngaipiwe hama yake yepedyo, kuti ive yake. Iwoyu uve murao unochengetwa navaIsiraeri sokurayira kwandaita ini Tenzi iwe Mosesi.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Kwira mugomo iri reAbharimu uone nyika yandakapa vaIsiraeri. Kana waiona uchaendawo kune hama dzako vachakabvu, sezvakaita mukoma wako Aroni. Ndinodaro nokuti hamuna kuteerera zvandakakuudzai kurenje reZini. Gungano rose ravaIsiraeri parakandinyunyutira paMeribha, hamuna kuratidza vanhu kururama nokuera kwangu.” Ndiyo mvura iya yepaMeribha paKadheshi murenje reZini. Mosesi akanamata kuna Tenzi achiti, “Imi Tenzi, Mwari muridzi woupenyu hwose, ndapota, sarudzai munhu anozotungamirira vanhu venyu ava. Ndiye achavatungamirira pane zvose zvavanoita vari mukati nokunze ndiye achavatungamirira pavanoenda kuhondo napavanodzoka kuti vanhu venyu varege kuzoita sehwai dzisina mufudzi.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Tora Joshuwa mwanakomana waNuni murume ane mweya wangu maari, uise maoko ako pamusoro pake. Mumise pamberi paEreazari mupristi negungano rose, umuturire basa iri vachizviona. Mupe rimwe simba rako kuti gungano rose ravaIsiraeri rimuteerere. Achapota achiuya kuzobatsirwa nomupristi Ereazari. Ereazari ndiye achashandisa Urimu neTumimu kubvunza Tenzi kana Joshuwa achida kuziva zvaangaite. Joshuwa navaIsiraeri vose vanotoenda kuhondo kana ati vaende, vanotozodzoka kana ati vadzoke.” Mosesi akaita zvaakaudzwa naTenzi. Akatora Joshuwa ndokumumisa pamberi pomupristi Ereazari negungano rose ndokuisa maoko ake pamusoro pake, ndokumuturira basa sokurongerwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira vaIsiraeri kuti vangwarire kundipa, mipiro yangu panguva dzakatemwa, mipiro yangu yezvokudya inoita zvokupiswa nomoto inonhuhwirira zvinondifadza. Vaudze kuti zuva nezuva vagare vachipira Mwari mupiro wokupisa wehwayana mbiri, dzine gore rimwechete dzisina chinoshoreka. Ngavapire Mwari hwayana imwechete mangwanani, vozopira imwe yacho manheru. Ngavapirewo upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hwakakanywa namafuta eorivhi akanakisisa anokwana rita rimwechete. Uyu ndiwo mupiro wokupisa pazuva roga roga wakarayirwa vaIsiraeri pagomo reSinai unopiswa pamoto kuti kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. Piraiwo mupiro wayo wezvokunwa unokwana rita rimwechete, nechibayiro chehwayana yokutanga, muteurire Tenzi zvokunwa, zvinoraradzisa munzvimbo inoera. Ngavapire hwayana yechipiri manheru nomupiro wayo wembesanwa nomupiro wayo wezvokunwa sezvinenge zvamboitwa mangwanani. Mupiro iwoyo uitei zvokuupisa nomoto kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi. “Musi weSabata pirai hwayana hono mbiri, dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka, pamwechete noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu maviri, hwomupiro wembesanwa, hwakakanywa namafuta, pamwechete nomupiro wawo wezvokunwa. Iwoyu ndiwo mupiro wokupisa wokuita paSabata rimwe nerimwe, uchiwedzerwa pamupiro wokupisa wamazuva ose nomupiro wawo wezvokunwa. “Mwedzi woga woga pakugara kwawo, pirai Tenzi mupiro wokupisa, wehandira mbiri dzichiri duku nehondohwe imwechete, nehwayana hono nomwe dzine gore rimwechete dzisina chinoshoreka. Pirai mupiro wembesanwa weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Pahandira imwe neimwe torai upfu hunorema makirogiramu matatu, pahondohwe, mutore makirogiramu maviri, Pahwayana imwe neimwe torai kirogiramu rimwechete. Uyu ndiwo mupiro unoita zvokupiswa nomoto kuti kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. Mipiro yezvokunwa inopirwa pamwechete nayo ndeiyi: pahandira imwe neimwe torai, waini inokwana marita maviri, pahondohwe torai waini inokwana rita rimwechete nechikamu charo chapakati napakati, pahwayana imwe neimwe torai waini inokwana rita rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro wokupisa unoitwa pazuva rokutanga romwedzi nomwedzi gore rose. Piraiwo Tenzi gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo uchiwedzerwa pamupiro wokupisa uya unogaroitwa pamwechete nomupiro wewaini. “Zuva regumi nechina romwedzi wokutanga, ndiro zuva rePasika yaTenzi. Zuva regumi nechishanu romwedzi iwoyu izuva guru. Ngakudyiwe chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. Zuva rokutanga racho ngapaitwe musangano mutsvene wezvokunamata, musaite basa rinorema. Asi pirai Tenzi mupiro unoita zvokupiswa nomoto wehandira mbiri dzichiri duku pamwechete nehondohwe imwechete, nehwayana hono nomwe, dzine gore rimwechete. Dzose ngadzive dzisina chinoshoreka. Piraiwo mupiro wembesanwa weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi, pahandira imwechete torai makirogiramu matatu, pahondohwe torai makirogiramu maviri, pirai kirogiramu rimwechete pahwayana imwe neimwe dzose dziri nomwe. Piraiwo Tenzi gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo kuve kuripira kwenyu. Mipiro iyoyi ngaiwedzerwe pamupiro wokupisa unogaroitwa mangwanani. Kwamazuva manomwe itai saizvozvo zuva nezuva muchipira zvokudya zvomupiro unoita zvokupiswa nomoto, kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi. Mipiro iyoyi ngaiwedzere mupiro wokupisa unogaroitwa zuva nezuva pamwechete nomupiro wezvokunwa. Pazuva rechinomwe kokorodzanaizve muite musangano mutsvene wezvokunamata, musaite basa rinorema. “Pazuva rokupira mupiro wembesanwa dzinotanga kukohwiwa, pamunouya kuzopira Tenzi mupiro wembesanwa dzinotanga, mazuva makuru amavhiki okukohwa, itai musangano mutsvene wezvokunamata musaite basa rinorema. Asi pirai Mwari mupiro wokupisa unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. Pirai handira mbiri dzichiri duku nehondohwe imwechete nehwayana hono nomwe dzine gore rimwechete. Piraiwo mupiro wembesanwa weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Pahandira imwe neimwe pirai makirogiramu matatu oupfu, pahondohwe makirogiramu maviri, pahwayana imwe neimwe kirogiramu rimwechete. Piraiwo gotora rokupfupira zvitadzo zvenyu kuve kuripira kwenyu. Pirai mipiro iyoyi pamwechete nemipiro yayo yezvokunwa tisingaverengere mupiro wokupisa unogaroitwa nomupiro wawo wembesanwa. Nyatsoonai kuti zvipfuwo zvacho zvive zvipfuwo zvisina chinoshoreka. “Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe ngakuitwe musangano mutsvene wezvokunamata, musaite basa rinorema. Ndiro zuva renyu ramunoridza tsuri, muchipira mupiro wenyu wokupisa unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. Pirai handira ichiri duku imwechete, nehondohwe imwechete nehwayana hono nomwe dzine gore rimwechete. Dzose ngadzive dzisina chinoshoreka. Piraiwo mupiro wawo wembesanwa weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Pahandira pirai makirogiramu matatu oupfu, hwakanyatsokuyiwa pahondohwe makirogiramu maviri, pahwayana imwe neimwe kirogiramu rimwechete. Piraiwo gotora romupiro wokupfupira zvitadzo kuve kuripira kwenyu. Mipiro iyoyi ngaiwedzerwe pamusoro pemupiro wokupisa unopirwa pakugara kwomwedzi, nomupiro wawo wembesanwa unogaropirwa mazuva ose. Mipiro yacho ngaive nemipiro yayo yezvokunwa, sezvakatemwa. Ndiyo mipiro inopirwa ichiita zvokupiswa nomoto, inonhuhwirira zvinofadza Tenzi. “Pazuva regumi romwedzi wechinomwe ngakuitwe musangano mutsvene wezvokunamata, mutsanye, murege kuita basa. Asi pirai Tenzi mupiro wokupisa unonhuhwirira zvinomufadza, mupiro wehandira ichiri duku, nehondohwe imwechete, nehwayana hono nomwe dzine gore rimwechete. Dzose ngadzive dzisina chinoshoreka. Pirai mupiro wembesanwa unopirwa pamwechete nawo unenge uri weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa, hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Pahandira yoga yoga pirai makirogiramu matatu oupfu, pahondohwe makirogiramu maviri, pahwayana imwe neimwe kirogiramu rimwechete. Piraiwo gotora romupiro wokupfupira zvitadzo muchiwedzera pamupiro wokupfupira zvitadzo nomupiro wokupisa unogaroitwa zuva nezuva nomupiro wembesanwa unopirwa pamwechetewo nawo pamwechete nemipiro yayo yezvokunwa. “Pazuva regumi nechishanu romwedzi wechinomwe itai musangano mutsvene, wozvokunamata murege kuita basa renyu ramazuva ose. Asi chengeterai Tenzi mazuva makuru manomwe. Pirai mupiro wokupisa unoita zvokupiswa nomoto unonhuhwirira zvinofadza ini Tenzi. Pirai handira dzichiri duku gumi nenhatu, nehondohwe mbiri, nehwayana hono dzine gore rimwechete gumi neina. Dzose ngadzive dzisina chinoshoreka. Piraiwo mupiro wembesanwa unopirwa nawo weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Pahandira imwe neimwe makirogiramu matatu oupfu, pahandira dzose dziri gumi nenhatu. Pahondohwe mbiri pirai makirogiramu maviri pahondohwe. Pahwayana gumi neina, pirai kirogiramu rimwechete pahwayana. Piraiwo gotora romupiro wokupfupira zvitadzo wokuwedzera pamusoro pomupiro wokupisa unogaroitwa zuva nezuva pamwechete nomupiro wawo wembesanwa, nomupiro wawo wezvokunwa. “Pazuva repiri, pirai handira dzichiri duku gumi nembiri, nehondohwe mbiri, nehwayana hono dzine gore rimwechete gumi neina dzisina chinoshoreka. Piraiwo handira dziya nehondohwe dziya nehwayana dziya pamwechete nemipiro yembesanwa neyezvokunwa inokwanirana nouwandu hwadzo sezvakatemwa nomurayiro. Piraiwo gotora romupiro wokupfupira zvitadzo muchiwedzera pamusoro pomupiro wokupisa unogaroitwa pamwechete nomupiro wawo wembesanwa, nemipiro yayo yezvokunwa. Pazuva retatu, pirai handira dzichiri duku gumi neimwechete nehondohwe mbiri, nehwayana hono dzine gore rimwechete gumi neina. Dzose ngadzive dzisina chinoshoreka. Piraiwo handira dzacho nehondohwe dzacho nehwayana dzacho pamwechete nemipiro yembesanwa yezvokunwa inokwanirana nouwandu hwadzo sezvakatemwa nomurao. Piraiwo gotora romupiro wokupfupira zvitadzo muchiwedzera pamusoro pomupiro wokupisa unogaroitwa zuva nezuva pamwechete nomupiro wawo wembesanwa nomupiro wawo wezvokunwa. “Pazuva rechina pirai handira dzichiri duku gumi, nehondohwe mbiri, nehwayana hono dzine gore rimwechete gumi neina dzisina chinoshoreka. Pamwechete nehandira dzacho nehondohwe dzacho nehwayana dzacho mupirewo mipiro yembesanwa neyewaini inokwanirana nouwandu hwadzo sezvakatemwa nomurao. Piraiwo gotora romupiro wokupfupira zvitadzo muchiwedzera pamusoro pomupiro wawo wokupisa unogaroitwa pamwechete nomupiro wawo wembesanwa newezvokunwa. “Pazuva reshanu pirai handira dzichiri duku pfumbamwe, nehondohwe mbiri, nehwayana hono dzine gore rimwechete gumi neina dzisina chinoshoreka. Piraiwo handira dziya nehondohwe dziya, nehwayana dziya pamwechete nemipiro yembesanwa neyewaini inokwanirana nouwandu hwadzo, sezvakatemwa nomurao. Piraiwo gotora romupiro wokupfupira zvitadzo muchiwedzera pamusoro pomupiro wokupisa unogaroitwa zuva nezuva pamwechete nomupiro wawo wembesanwa newezvokunwa. “Pazuva rechitanhatu pirai handira dzichiri duku tsere, nehondohwe mbiri, nehwayana hono dzine gore rimwechete, gumi neina dzisina chinoshoreka. Piraiwo handira dzacho, nehondohwe dzacho, nehwayana dzacho pamwechete nemipiro yembesanwa neyewaini inokwanirana nouwandi hwadzo, sezvakatemwa nomurao. Piraiwo gotora romupiro wokupfupira zvitadzo muchiwedzera pamusoro pomupiro wokupisa unogaroitwa zuva nezuva pamwechete nomupiro wawo wembesanwa nowezvokunwa. “Pazuva rechinomwe pirai handira dzichiri duku nomwe, nehondohwe mbiri, nehwayana hono dzine gore rimwechete, gumi neina dzisina chinoshoreka. Pirai nehandira dzacho nehondohwe dzacho, nehwayana dzacho, pamwechete nemipiro yembesanwa neyezvokunwa inokwanirana nouwandu hwadzo, sezvakatemwa nomurao. Piraiwo gotora romupiro wokupfupira zvitadzo muchiwedzera pamupiro wokupisa unogaroitwa pamwechete nomupiro wawo wembesanwa nomupiro wawo wezvokunwa. “Pazuva rorusere unganidzanai muite musangano mukuru mutsvene wozvokunamata, musaite basa rinorema. Asi pirai mupiro wokupisa unoita zvokupiswa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza ini Tenzi. Pirai handira nehondohwe, nehwayana hono dzine gore rimwechete nomwe, dzisina chinoshoreka. Piraiwo handira yacho nehondohwe yacho nehwayana dzacho pamwechete nemipiro yembesanwa neyewaini inokwanirana nouwandu hwadzo sezvakatemwa nomurao. Piraiwo gotora romupiro wokupfupira zvitadzo muchiwedzera pamusoro pomupiro wokupisa unogaroitwa zuva nezuva pamwechete nomupiro wawo wembesanwa nomupiro wawo wezvokunwa. “Iyi ndiyo mipiro yamunofanira kupira kuna Tenzi pamazuva enyu makuru akatemwa ichiwedzerwa pamusoro pemipiro yamunopira nechido chenyu nomupiro wokuzvisarudzira neyokupisa neyembesanwa neyezvokunwa neyokuwadzana.” Mosesi akaudza vaIsiraeri zvose zvaakanga audzwa naTenzi. Mosesi akataurira vatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri achiti, “Izvi ndizvo zvandakarayirwa naTenzi. Kana munhurume akatsidza kuitira Tenzi chinhu, kana kupika mhiko yokuregedza kuita chimwe chinhu, ngaaite zvaakapika, asambozviregedzi, ngaaite zvose zvaakataura nomuromo wake. Kana munhukadzi, achiri kugara mumusha wababa vake, akatsidza kuitira Tenzi chinhu, kana kupika mhiko yokuregedza kuita chimwe chinhu, kana baba vake vakanzwa chitsidzo kana mhiko yake vasina chavanotaura nazvo, zvose zvaakatsidza nezvaakapika ngaazviite. Asi kana baba vake vakazvinzwa, vakamurambidza zuva rakarero, zvose zvaakatsidza kana zvaakapika hazvisisina maturo. Tenzi anobva amuregerera nokuti baba vake havana kuzvibvumira. Kana mukadzi uya akaroorwa, achine mhiko kana chitsidzo chaakataura asina kumbonyatsofunga, murume wake akazvinzwa asi akasava nechaakataura zuva rakarero, zvaakatsidza nezvaakapika ngaazviite. Asi kana murume wake akazvinzwa akarega kumutsiura zuva iroro raakazvinzwa mhiko yake nezvaakatsidza kuzvisunga nazvo zvicharamba zviripo. Asi kana murume wake akazvinzwa achibva amurambidza zuva rakarero, zvose zvaakapika nezvaakataura, asina kumbonyatsofunga hazvisisina maturo. Tenzi anobva amuregerera. “Asi chitsidzo nemhiko yechirikadzi kana yomukadzi akarambana nomurume wake chose chaanozvisunga nacho chichamusunga. Ngatiti mukadzi akatsidza achiri mumba momurume wake kana kupika mhiko murume wake akazvinzwa, asi akaramba akanyarara asingamutsiure zvose zvaakatsidza nezvaakapika, zvinomusunga. Asi kana murume wake akazviramba zuva rakarero raanozvinzwa, zvose zvaakatsidza kana zvaakapika achitaura nomuromo nezvemhiko dzake nezvitsidzo zvake, murume wake akazvishaisa basa. Tenzi anomuregerera. Murume wake ane mvumo yokumubvumidza kana yokumurambidza kuita zvose zvaanotsidza kana zvaanopika. Asi kana murume wake akanyarara asina chaanotaura kwaari nazvo zuva nezuva, zvinoreva kuti anomubvumidza kuita zvose zvaanotsidza nezvose zvaanopika. Murume wake anenge abvumirana nazvo nokuti anenge asina kutaurira mukadzi wake zuva raanozvinzwa. Asi kana murume akazvinzwa, kukapera mazuva asina kumurambidza, mhosva yanga iri yomukadzi iyeyo ichava yomurume wake.” Iyi ndiyo mirao yakarayirwa Mosesi naTenzi yemhiko dzinoitwa nomunhukadzi muduku achiri mumba mababa vake nedzinoitwa nomukadzi ane murume wake. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Tsiva vaMidhiani pane zvavakakanganisira vaIsiraeri. Kana waita izvozvo uchatorwa uchindosanganiswa nehama dzako, vachakabvu.” Mosesi akataurira vaIsiraeri achiti, “Vamwe varume pakati penyu ngavapakate zvombo zvokundorwisa vaMidhiani kuti vavarange vachitsiva kukanganisira Tenzi kwakaitwa navaMidhiani. Dzinza rimwe nerimwe ravaIsiraeri ngaritumire chiuru chimwechete chavarwi.” Ipapo muzviuru nezviuru zvavaIsiraeri makaunzwa chiuru chimwechete chavarwi padzinza roga roga. Saka varwi vakagadzirira kuenda kuhondo vakakwana zviuru gumi nezviviri. Mosesi akatumira kuhondo chiuru chimwe nechimwe chavarwi vemadzinza ose avaIsiraeri pamwechete naFiniyasi mwanakomana womupristi, Ereazari. Finiyasi akaenda navo aine midziyo yomutendhe rinoera netsuri dzairidzirwa kurongera varwi zvokuita. Vakarwisa vaMidhiani sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Vakauraya varume vose pamwechete namadzimambo mashanu vaMidhiani aiti: Evhi naRekemu naZuri naHuri naRebha. Vakaurayawo Bhiriamu mwanakomana waBheori vachimubaya nebakatwa. VaIsiraeri vakatapa vanhukadzi navana vavaMidhiani. Vakatorawo zvipfuwo zvavaMidhiani nepfuma yavo yose. Vakapisa maguta mavaigara namatendhe avo. Vakatora vanhu vavakatapa nezvipfuwo noupfumi hwose hwavakapamba vakaenda nazvo. Vakauya nenhapwa dziya nezvipfuwo zviya nepfuma iya vakasvika kuna Mosesi nomupristi Ereazari negungano rose ravaIsiraeri vaiva pamatendhe avo kumapani eMoabhu muna Jorodhani pakatarisana neJeriko. Mosesi nomupristi Ereazari navatungamiriri vose vegungano ravaIsiraeri vakandochingura varwi kunze kwamatendhe. Ipapo Mosesi akashatiriswa navakuru vakuru vehondo vaya vaiva vatungamiriri vamapoka ezviuru nevemazana avarwi vakanga vadzoka vachibva kuhondo. Mosesi akati, “Ko magorega vakadzi vose vari vapenyu sei? Ndivoka ivava vakarasikisa vaIsiraeri, panyaya iya yaBhiriamu. VaIsiraeri vakabva vatadzira Tenzi panyaya iya yokuPeori yakarakatisa gungano raTenzi nedenda. Zvino ndinoti chiurayai vanakomana vavo vose navanhukadzi vose vakamborara navarume. Asi vanasikana vavo vose vasina kumbozivana nomurume nokurara naye varegei vari vapenyu, muzvichengetere imi pachenyu. Ani naani wenyu akauraya munhu kana ani naani akabata chitunha ngaambogara kunze kwenharaunda yamatendhe kwamazuva manomwe. Zvichenurei imi pachenyu nenhapwa dzenyu pazuva retatu napazuva rechinomwe. Chenuraiwo hanzu dzenyu dzose, nezvose zvamunazvo zvakagadzirwa namatehwe kana nemvere dzembudzi kana nemapuranga.” Mupristi Ereazari akataurira varwi vaya vakanga vadzoka vachibva kuhondo, achiti, “Uyu ndiwo murao wakapiwa Mosesi naTenzi. Ndarama nesirivha nendarira noutare nesimbi inomutobvu ndizvo chete zvamuchanatsa nomoto nezvose zvisingaparadzwe nomoto ngazvinatswe mumoto. Zvichabva zvachenurwa kunyange mukazvidaro zvinatseiwo nemvura yokunatsisa zvinhu. Zvinhu zvisingagoni kunatswa mumoto ngazvinatswe nemvura. Sukai hanzu dzenyu pazuva rechinomwe kuti muve vanhu vakachenurwa, shure kwaizvozvo mozopinda mumatendhe.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Iwe naEreazari navakuru vakuru vavaIsiraeri, verengai zvinhu zvamakapamba kuhondo nhapwa nezvipfuwo. Kamurai zvamakapamba kuhondo napakati. Chimwe chikamu ngachipiwe kuvarwi vakadzoka vachibva kuhondo. Chimwe chikamu ngachipiwe gungano ravaIsiraeri. Pamugove wavarwi vakadzoka kuhondo torai chikamu chakatarwa chokupa Tenzi. Pazvinhu zvinenge zviri mazana mashanu torai chinhu chimwechete. Zvitorei panhapwa napamombe napamadhongi napahwai napambudzi. Torai chikamu chazvo pamugove uya wevarwi mupe mupristi Ereazari kuti uve mupiro unopirwa kuna Tenzi. Pamugove uya wavaIsiraeri vose pazvinhu makumi mashanu, torai chinhu chimwechete. Zvitorei panhapwa napamombe napamadhongi napahwai napambudzi napazvipfuwo zvose mupe vaRevhi vane basa rokuchengeta tendhe rinoera raTenzi.” Mosesi nomupristi Ereazari vakaita zvakanga zvaudzwa Mosesi naTenzi. Zvino zvinhu zvose zvaiva zvapambwa navarwi kuhondo zvakanga zvakamira zvakadai: hwai dzaiva mazana matanhatu ezviuru nezviuru makumi manomwe nezvishanu. Mombe makumi manomwe ezviuru nezviuru zviviri. Madhongi makumi matanhatu ezviuru nechiuru chimwechete. Nhapwa dzechikadzi makumi matatu ezviuru nezviuru zviviri, vose vakanga vasati vambozivana nomurume. Saka chikamu chazvo chakapiwa varwi chaiva: mazana matatu ana makumi matatu ezviuru ane zviuru zvinomwe zvine mazana mashanu ehwai. Hwai dzakapiwa kuna Tenzi dzaiva mazana matanhatu ana makumi manomwe ehwai nehwai shanu. Mombe makumi matatu ezviuru ane zviuru zvitanhatu. Mombe dzakapiwa kuna Tenzi dzaiva mombe makumi manomwe nembiri. Madhongi zviuru makumi matatu ana mazana mashanu. Madhongi akapiwa kuna Tenzi makumi matanhatu nerimwechete amadhongi. Vanhu vaiva zviuru gumi nezvitanhatu; vakapihwa kuna Tenzi makumi matatu navaviri. Naizvozvo Mosesi akapa mupristi Ereazari chikamu chiya chakatarwa chomugove waTenzi sezvaakanga audzwa naTenzi. Mosesi paakapa varwi mugove wavo akatsaura chimwe chikamu chawo chiya ndokupa vaIsiraeri. Saka mugove wakapiwa gungano rose waiti: mazana matatu ana makumi matatu ezviuru ane zviuru zvinomwe zvina mazana mashanu ehwai. Mombe makumi matatu ezviuru nezviuru zvitanhatu, madhongi aiva zviuru makumi matatu ana mazana mashanu, vanhu vaiva gumi rezviuru nezviuru zvitanhatu. Pazvinhu makumi mashanu zvoga zvoga zvomugove wakapiwa vaIsiraeri. Mosesi akatsaura chinhu chimwechete pamakumi mashanu pavanhu napazvipfuwo ndokupa vaRevhi vaiva nebasa rokuchengeta tendhe rinoera raTenzi sezvaakarayirwa naTenzi. Ipapo vakuru vakuru vekuhondo vaitungamirira mapoka ezviuru namapoka amazana vakauya kuna Mosesi. Vakati kuna Mosesi, “Changamire, isu varanda venyu takaverenga varwi vatinotungamirira tikaona kuti hakuna nomumwe wavo asipo. Zvino tauya nezvinhu zvendarama zvatakawana zvatinoda kupa Tenzi sechipo. Tauya namakoza nemhete nemarin'i nezvishongo zvomuhuro zvomupiro wedu kuna Tenzi wokuripira.” Mosesi nomupristi Ereazari vakagamuchira ndarama iyoyo, zvinhu zvakanga zvakagadzirwa kare. Ndarama yose yechipo chakapiwa Tenzi navaitungamirira mapoka ezviuru namapoka amazana avarwi yakaita mari yamashekeri yakasvika gumi rezviuru nezviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe ana makumi mashanu. Mumwe nomumwe wavarwi aiva nezvinhu zvaakanga apambawo iye pachake. Mosesi nomupristi Ereazari vakagamuchira ndarama iya yavakapiwa navaitungamirira mapoka ezviuru namapoka amazana avarwi, ndokuiunza mutendhe rokusanganira kuti ive chiyeuchidzo chevaIsiraeri pana Tenzi. Madzinza aRubheni naGadhi aiva nemombe dzakawanda kwazvo. Akaona nyika yeJazeri neyeGiriadhi dziri nyika dzina mafuro emombe, Naizvozvo vokwaGadhi nevekwaRubheni vakaenda kuna Mosesi nomupristi Ereazari navatungamiriri vegungano, ndokusvikoti, “KuAtaroti nokuDhibhoni nokuJazeri nokuNimura nokuHeshibhoni nokuEreare nokuSebhamu nokuNebho nokuBheoni kunyika dziya dzakakundwa naTenzi tichizviona, kuna mafuro emombe akanaka kwazvo. Zvino isu varanda venyu tine mombe.” Saka vakati, “Kana muchida tipei zvedu isu varanda venyu nyika iyoyi kuti ive nhaka yedu, murege zvenyu kuti tiyambuke kumhiri kwaJorodhani.” Asi Mosesi akapindura vokwaGadhi novokwaRubheni achiti, “Ko imi mungati hama dzenyu dziende dzoga kuhondo, imi mugere zvenyu kuno here? Ko munodireiko kuoresa mwoyo yavaIsiraeri kuti varege kuyambukira kunyika yavakapiwa naTenzi? Ndizvo zvakaitwa namadzibaba enyu pandakavatuma kubva kuKadheshibhanea kundoona nyika iyi. Vakandosvika kumapani eEshikoru vakaona nyika iyoyo, dzokei vooresa mwoyo yavaIsiraeri kuti varege kuyambukira kunyika yavakanga vapiwa naTenzi. Izvozvo zvakashatirisa Tenzi pazuva iroro akapika achiti, ‘Chokwadi hakuna mumwe wavarume vakabva kuIjipiti vane makore makumi maviri kana anopfuura iwayo vachaona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho nokuti havana kunditevera nomwoyo wose, kunze kwaKarebhu chete mwanakomana waJefune muKenezi naJoshuwa mwanakomana waNuni nokuti vakatevera Tenzi nomwoyo wose.’ Tenzi akashatirirwa vaIsiraeri, akaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira chizvarwa chose chakanga chatadzira Tenzi chapera kufa. Hezvika imi magara nhaka yamadzibaba enyu, muri chizvarwa chakaipa chinotonyanya kuti Tenzi ashatirirwe vaIsiraeri zvikuru. Kana imi mukatsauka pakumutevera achavasiyazve murenje. Ndimi muchaparadzisa vanhu ivava.” Vakasebera kwaari vakati, “Regai timbovakira pano zvipfuwo zvedu matanga, navana vedu maguta, tozotora zvombo zvedu tichienda kuhondo navaIsiraeri, tiri mberi kusvikira tavasvitsa kunzvimbo dzichava nhaka yavo. Izvozvo vana vedu vachange vagere mumaguta akakomberedzwa netsvingo vakadzivirwa kuvanhu vomuno. Hatizodzokeri kumisha yedu kusvikira muIsiraeri wose awana nyika ichava nhaka yake. Isu hatizopiwi nhaka pamwechete navo kumhiri kwaJorodhani zvichienda zvakadaro nokuti nhaka yedu taiwanira mhiri kuno kumabvazuva kwaJorodhani.” Mosesi akavapindura achiti, “Kana muchizoita saizvozvo zvokutora zvombo muchienda kuhondo norubatsiro rwaTenzi, mumwe nomumwe wenyu akapakata zvombo achiyambuka Jorodhani achitungamiririrwa naTenzi kusvikira adzinga iye vavengi vake, kusvikira nyika iyoyi yakundwa yava pasi paTenzi, mungachizodzoka zvenyu musisina mhosva pana Tenzi navaIsiraeri. Naizvozvo nyika ino ichava yenyu nemvumo yaTenzi. “Asi mukasaita saizvozvi, matotadzira Tenzi. Saka zivai izvi zvokuti chitadzo chenyu chichakupfukirai. Chivakirai zvenyu pwere dzenyu maguta, nezvipfuwo zvenyu matanga, muzoita zvamavimbisa.” Vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakataura kuna Mosesi vachiti, “Isu varanda venyu tichaita zvamareva changamire wangu. Pwere dzedu namadzimai edu nembudzi nehwai nemombe dzedu dzose, zvichasara zviri mumaguta kuno kuGiriadhi. Asi isu varanda venyu tichayambuka, munhu wose ane zvombo zvehondo achitungamirirwa naTenzi tichienda kuhondo sokutaura kwenyu changamire.” Mosesi akaudza mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni navatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri zvokuita navanhu ava akavati, “Kana vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakayambuka Jorodhani nemi, mumwe nomumwe wavo akapakata zvombo zvehondo vachitungamirirwa naTenzi, mukakunda nyika iyoyo, vapei zvenyu nyika yeGiriadhi kuti ive yavo. Asi vakasayambuka nemi kundorwa hondo, vachazowana mugove wavo pamwechete nemi munyika yeKanani.” Vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakapindura vachiti, “Zvataurwa naTenzi kwatiri varanda venyu ndizvo zvatichaita. Isu tichayambuka takapakata zvombo zvedu zvehondo kunyika yeKanani tichitungamirirwa naTenzi kuitira kuti nhaka yedu ive mhiri kuno kwaJorodhani.” Saka Mosesi akapa vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni nechikamu chapakati napakati chevedzinza raManase mwanakomana waJosefi, nyika yaSihoni mambo wavaAmori, nenyika yaOgu mambo wavaBhashani. Akavapa nyika iyoyo namaguta ayo ose nemiganho yacho, kunyange namaguta ose ari munharaunda macho. Vedzinza rokwaGadhi vakavakirira tsvingo maguta aya anoti: Dhibhoni neAtaroti neAroeri neAtarotishofani neJazeri neJogubheha neBhetinimura neBhetiharani. Maguta aya namatanga ehwai akakomberedzwa netsvingo. Vedzinza rokwaRubheni vakavaka maguta aya anoti: Heshibhoni neEreare neKiriataimu neNebho neBhaarimeoni (mazita awo akazosandurwa) neSibhuma. Maguta avakavaka vakatumidza mazita. Vemhuri yaMakiri wedzinza raManase vakaenda kuGiriadhi vakaikunda ndokuibvutira vaAmori vakanga vageremo. Mosesi akapa nyika yaGiriadhi kuna Makiri mwanakomana waManase akagaramo. Jairi wedzinza raManase akandopamba misha yavo akaitumidza kuti misha yaJairi. Nobha akandopamba guta reKenati nemisha yavo, akaitumidza nezita rake kuti Nobha. Urwu ndirwo rwendo rwavaIsiraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMosesi naAroni. Murwendo rumwe norumwe rwavainge vafamba, Mosesi ainyora zita renzvimbo yavainge vasvika pakusimuka kwavo vopinda munzira sezvaakaudzwa naTenzi. Idzi ndidzo nzendo dzavakafamba nenzvimbo dzavakatangira. Vakatangira rwendo rwavo paguta reRamasesi mumwedzi wokutanga pazuva regumi nechishanu romwedzi iwoyo. Pazuva rakatevera rePasika, vaIsiraeri vakanyatsobuda zvavo vaIjipiti vose vachiona. Izvozvo vaIjipiti vaingunoviga matangwe avo ose akanga auraiwa naTenzi. Ipapo Tenzi akabudisa pachena kuti vamwari vavo vamwari vakaita sei. Saka vaIsiraeri vakabva paRamesesi vakandodzika matendhe avo paSukoti. Vakabva paSukoti vakandodzika matendhe avo paEtamu pamuganho nerenje. Vakabva paEtamu vakadzokera kuPihahiroti, pakatarisana nepaBhaarizefoni vakadzika matendhe avo pedyo napaMigidhori. Vakabva paPihahiroti vakayambuka nomuGungwa Dzvuku, vakapinda nomurenje vakafamba rwendo rwamazuva matatu nomurenje reEtamu vakazodzika matendhe avo paMara. Vakabva paMara vakandosvika paErimu. PaErimu paiva nezvisipiti zvemvura gumi nezviviri, nemiti yomurara makumi manomwe. Vakadzika matendhe avo ipapo. Vakabva paErimu vakandodzika matendhe avo munyasi meGungwa Dzvuku. Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika matendhe avo murenje reSini. Vakabva murenje reSini vakandodzika matendhe avo kuDhofuka. Vakabva kuDhofuka, vakandodzika matendhe avo kuArushi. Vakabva kuArushi, vakandodzika matendhe avo kuRefidhimu pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. Vakazobva paRefidhimu vakandodzika matendhe avo murenje reSinai. Ndokubva murenje reSinai vakandodzika matendhe avo kuKibhurotihataavha. Vakabvawo paKibhurotihataavha vakandodzika matendhe avo paHazeroti. Vakabvawo paHazeroti vakandodzika matendhe avo paRitima. Vakazobva paRitima vakandodzika matendhe avo kuRimoniperezi. Vakabvazve paRimoniperezi vakandodzika matendhe avo paRibhina. Ndokubva paRibhina vakandodzika matendhe avo paRisa. Vakazobva paRisa vakandodzika matendhe avo paKeherata. Ndokubva paKeherata vakandodzika matendhe avo vava pagomo reShaferu. Ndokubva pagomo reShaferu vakazondodzika matendhe avo paHaradha. Ndokubvawo paHaradha vakandodzika matendhe avo Makeroti. Vakabva Makeroti vondodzikira matendhe avo Tahati. Vakazobva paTahati ndokundodzikira matendhe avo kuTera. Ndokuzobvawo kuTera vakandodzika matendhe avo kuMitika. Vakabva paMitika ndokundodzika matendhe avo kuHashimona. Vakabvawo paHashimona vondodzika matendhe avo kuMoseroti. Vakazobva paMoseroti vakandoadzika vave Bhenejaakani. Ndokubva Bhenejaakani vakandodzika matendhe avo vava Horihagidhigaadhi. Ndokubvawo paHorihagidhigaadhi vakazondodzika matendhe avo paJotibhata. Ndokuzobva paJotibhata vondodzika matendhe avo vava Abhurona. Vakabva paAbhurona vakazodzikira matendhe avo kuEzionigebheri. Vakazobva paEzionigebheri vakandodzika matendhe avo murenje reZini, ndipo paKadheshi. Ndokuzobvawo paKadheshi vakandodzika matendhe avo pagomo reHoru munyasi menyika yeEdhomu. Aroni mupristi audzwa naTenzi, akakwira mugomo reHoru akafiramo. Iri raiva gore ramakumi mana kubvira kubuda kwavaIsiraeri munyika yeIjipiti mumwedzi wechishanu pazuva rokutanga romwedzi iwoyo. Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri ana matatu okuzvarwa kwake paakafa mugomo reHoru. Mambo Aradhi worudzi rwavaKanani aigara kuNegevhu munyika yeKanani akanzwa zvokuuya kwavaIsiraeri. VaIsiraeri vakabva kugomo reHoru vondodzika matendhe avo vava Zarimona. Vakabva Zarimona vondodzika matendhe avo vava kuPunoni. Vakazobva Punoni vakazodzika matendhe avo kuObhoti. Vakabvawo kuObhoti vondodzika matendhe avo kuIyeabharimu kumuganho neMoabhu. Vakazobvawo paIyimu ndokundodzika matendhe avo vava Dhibhonigadhi. Ndokubva paDhibhonigadhi vakazondodzika matendhe avo vava Arumonidhibhurataimu. Ndokuzobva Arumonidhibhurataimu vakandodzika matendhe avo vava kumakomo eAbharimu munyasi megomo reNebho. Vakabva pamakomo eAbharimu vondodzika matendhe avo mumapani eMoabhu munyasi maJorodhani, kuJeriko. Vakazodzika matendhe avo munyasi maJorodhani kubvira kuBhetihejeshimoti kusvikira kuAbheroshitimu mumapani eMoabhu imomo. Mumapani eMoabhu imo munyasi maJorodhani kuJeriko, Tenzi akataurira Mosesi zvokuita achiti, “Taurira vaIsiraeri uti kwavari, kana mayambuka Jorodhani muchipinda munyika yeKanani, munofanira kudzinganisa vagari vemo, mupwanye zvimifananidzo zvavakazvigadzirira zvamabwe nezvifananidzo zvavo zvesimbi, mupaze nzvimbo dzavo dzemipiro dzavakavakira pakatunhumara. Torai nyika iyoyo mugaremo nokuti ndakupai nyika iyoyo kuti ive yenyu. Muchagovana nyika iyoyo nechin'ange dzinza nedzinza, muchipa nyika huru kune vakawanda, diki kuna vashoma. Nzvimbo inenge yapiwa munhu nechin'ange ndiyo ichava yake. Muchagovana nyika dzinza nedzinza vanhu nedzinza rababa wavo. Asi kana mukasadzinganisa vagari vemo vachakufurusai sechinhoi muziso vachiva sekabayo komunzwa parutivi. Vachakuonesai nhamo munyika yamuchange mugere. Ipapo zvandinofunga kuita kwavari ndizvo zvandichaita kwamuri.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti, kana masvika kunyika yeKanani, nyika ichava yenhaka yenyu, nyika yeKanani nemiganho yayo ndeiyi inoti: rutivi rwenyika iyoyo rwokuchamhembe ruchatangira kurenje reZini, ruchitevedza nokurutivi rweEdhomu. Muganho wayo wokumaodzanyemba uchatangisira kunoperera gungwa Romunyu nechokumabvazuva. Muganho wayo uchapota napamukwidza weAkirabhimu uchipfuura nokurenje reZini, uchizondosvika kumaodzanyemba kweKadheshibharinea wozoenda kuHazariadhari, uchizondosvika kuAzimoni. Muganho wacho uchabva kuAzimoni wopota nokukakova kanonzi KakovakeIjipiti wozondogumira kugungwa. “Muganho wavo wokumadokero uchava gungwa Dzvuku nemahombekombe aro. Iwoyu ndiwo muganhu wenyu wokumadokero. “Muganho wenyu wokuchamhembe ndouyu, muchautara uchibva kugungwa guru uchienda kugomo reHoru, wozobva kugomo reHoru, woita sewava kupinda muguta reHamati. Muganho iwoyu unozosvika kuZedhadhi. Wozobvapo woenda kuZifuroni, wondoperera wava Hazarenani. Iwoyu ndiwo uchava muganho wavo wokuchamhembe. “Muchatara muganho wenyu wokumabvazuva kubva paHazarenani kusvika kuShefamu. Wozodzika uchibva Shefamu wosvika kuRibhura nechokumabvazuva kweAini. Wodzikazve kundosvika kumateru egungwa reKinereti kuri kumabvazuva. Wozodzika kuna Jorodhani uchindoperera kuGungwa roMunyu. Iyoyi ndiyo nyika yenyu nemiganhu yayo inoipoteredza.” Mosesi akaudza vaIsiraeri kuti, “Iyoyi ndiyo nyika yenhaka yenyu yamuchagovana nechin'ange sekutemwa kwayakaitwa naTenzi, ichipiwa madzinza mapfumbamwe nechikamu chapakati napakati cherimwe dzinza nokuti vedzinza rokwaRubheni nemhuri dzavo, nevedzinza rokwaGadhi nemhuri dzavo pamwechete nechikamu chapakati napakati chevedzinza rokwaManase vanenge vatowana kare nhaka yavo. Vamadzinza iwaya maviri, nechikamu chepakati nepakati cherimwe dzinza vanenge vatowana kare nhaka yavo kumhiri kwaJorodhani kwakatarisana neJeriko kunobuda nezuva kumabvazuva.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Aya ndiwo mazita avanhu vachakugovanisai nyika yenyu kunoti: Mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni. Munofanira kusarudza mutungamiriri mumwechete padzinza roga roga wokugova nyika. Aya ndiwo mazita avarume vacho: “Wedzinza rokwaJudha ndiKarebhu mwanakomana waJefune. Wedzinza rokwaSimeoni ndiShemueri mwanakomana waAmihudhi. Wedzinza rokwaBhenjamini ndiEridhadhi mwanakomana waKisironi. Wedzinza rokwaDhani ndiBhuki mwanakomana waJongiri. VokwaJosefi, wedzinza rokwaManase ndiHanieri mwanakomana waEfodhi. Wedzinza rokwaEfuremu ndiKemueri mwanakomana waShifutani. Wedzinza rokwaZebhuruni ndiErizafani mwanakomana waParinaki. Wedzinza rokwaIsakari ndiParitieri mwanakomana waAzani. Wedzinza rokwaAsheri ndiAhihudhi mwanakomana waSheromi. Wedzinza rokwaNafutari ndiPedhaheri mwanakomana waAmihudhi.” Ava ndivo varume vakapiwa naTenzi basa rokugovanisa vaIsiraeri nyika yeKanani. Mumapani eMoabhu mhiri kwaJorodhani kwakatarisana neJeriko, Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti munyika dzavanenge vagoverwa vazopawo vaRevhi mamwe maguta okugara. Muchavapawo mafuro munharaunda dzamaguta iwayo. Naizvozvo vaRevhi vachava namaguta okugara namafuro okuti mombe nehwai nembudzi dzavo nezvimwe zvipfuwo zvavo zvose zvive nopokufurira. Mafuro iwayo amaguta amuchapa vaRevhi achatangira kuerwa kubvira parusvingo rweguta zvichienda kunze kwechinhambwe chinokwana mamita mazana mana namakumi mashanu mativi ose. Kumabvazuva kweguta, erai chinhambwe chinokwana mamita mazana mapfumbamwe. Kumaodzanyemba erai chinhambwe chinokwana mamita mazana mapfumbawe, kumadokero mamita mazana mapfumbamwe, kuchamhembe mamita mazana mapfumbamwe guta riri pakati. Ndiwo achava mafuro akapoteredza maguta avo. Munozopa vaRevhi maguta matanhatu okuti kana munhu akonzera rufu rwomumwe andopoteramo. Pamusoro pamaguta iwaya vapei mamwe maguta makumi mana namaviri. Saka maguta ose amuchapa vaRevhi, achava makumi mana namasere pamwechete nenharaunda dzawo dzamafuro. Kana mavakupa vaRevhi maguta mumatunhu akagovaniswa vaIsiraeri, onai kuti mune vane nyika huru motorawo maguta akati wandei. Mune vane nyika diki motorawo mashoma muchivapa, zvichienderana noukuru hwenhaka yavakagoverwa.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti kana mayambuka Jorodhani muchipinda nyika yeKanani sarudzai maguta okupotera, okuti munhu anenge auraya munhu mukusaziva atizireko. Kwamuri maguta aya achava okupotera, kuitira kuti hama yomufi inenge yoda kutsividza irege kuuraya muurayi asati atongwa nedare. Maguta matanhatu iwayo amuchatsaura ndiwo achava maguta enyu okupotera. Tsaurai maguta matatu kumhiri kwaJorodhani namamwe maguta matatu muKanani kuti ave okupotera. Maguta matanhatu iwaya ndookuti vaIsiraeri, kana mutorwa, kana mupfuuri agere nemi anenge auraya munhu mukusaziva andopoteramo. “Asi kana munhu akarova mumwe nechinhu chesimbi akafa, imhondi. Mhondi inofanira kutoti iuraiwe. Kana akatora dombo ringauraye munhu akamutema naro akafa, imhondi. Mhondi inofanira kutoti iuraiwe Kana akabatira mumwe tsvimbo ingauraye munhu akarova mumwe nayo akafa, imhondi. Mhondi inofanira kutoti iuraiwe. Hama yomufi pachayo ndiyo ine basa rokutsiva ropa romufi. Akangosangana nayo ngaaiuraye. “Kana munhu akadyunga mumwe pamusana poruvengo kana kumupotsera chinhu aita zvokumuhwandira akamuuraya, kana kuti akamurova nechibhakera achizviita pamusana poruvengo akafa, nyakumurova uya ngaaurayiwe, imhondi. Hama yomufi ine basa rokutsiva ropa romufi, ikangosangana nemhondi yacho ngaaiuraye. “Asi kana akangoerekana amudyunga pasina ruvengo, kana kuerekana amupotsera chinhu asina kumbenge akamuhwandira kana dombo ringauraye munhu raakamudonhedzera asingamuoni achibva amuuraya kunyange akanga asiri muvengi wake asingadi kumukuvadza, dare ngaritonge mhosva yanyakuuraya munhu nanyakuda kutsiva ropa romufi maererano nemirao iyi: Dare ngarinunure nyakuuraya munhu mumaoko anyakuda kutsiva ropa romufi, ngarimudzosere kuguta rake rokupotera kwaakanga atizira. Nyakuuraya munhu uya ngaagaremo kusvikira rufu rwomupristi mukuru akazodzwa namafuta anoera. Asi kana nyakuuraya munhu uya akangobuda kunze kwemiganhu yeguta maakanga andopotera, nyakuda kutsiva ropa romufi akangomuwana ari kunze ikoko, akamuuraya, haazovi nemhosva yokuuraya munhu. Izvi zvinonzarwo nokuti nyakuuraya munhu iyeyo angadai akagara muguta rake rokupotera kusvikira mupristi mukuru afa. Kana mupristi mukuru afa ndipo paaizokwanisa zvake kudzokera kumusha kwake. Iyi ndiyo mirao nezvirongwa zvamuchachengeta pazvizvarwa zvenyu zvose kwose kwamunenge mugere. “Ani naani anouraya munhu, anogona kuurayiwa chete kana paine zvapupu. Asi hakuna munhu anofanira kuurayiwa noumboo hwechapupu chimwechete. Uyezve musagamuchire mari yokununura upenyu hwemhondi inenge yatongerwa kufa. Anotofanira kutouraiwa. Musagamuchire mari yokuti munhu anenge atizira muguta rokupotera, adzokere kundogara kumusha kwake, mupristi mukuru asati afa. Musan'orese nyika yamugere nomutoo iwoyu nokuti kudeura ropa kunon'oresa nyika. Hakuna chinogona kununura nyika ine ropa rakadeurwamo kunze kwokuuraya munhu wacho akadeura ropa. Musan'orese nyika yamugere mandinogarawo ini nokuti ini Tenzi ndinogara mukati mavaIsiraeri.” Vakuru vakuru vomumhuri dzaGireadhi mwanakomana waMakiri, wedzinza rokwaManase, wemhuri dzokwaJosefi vakataura pana Mosesi navatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri vachiti, “Changamire, Tenzi akuudzai kuti mugovere vaIsiraeri nyika dzenhaka yavo nechin'ange. Makaudzwawo naTenzi kuti mupe nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake. Zvino kana vakazoroorwa navakomana vamamwe madzinza avaIsiraeri, nhaka yavo ichazotorwa panhaka yamadzibaba edu yoendeswa kudzinza ravanenge vaenda. Ipapo tichatorerwa nhaka yamadzibaba edu yatakagoverwa. Naizvozvo panozosvika gore ravaIsiraeri reHwamanda nhaka yavanenge vapiwa ichawedzerwa kunhaka yedzinza kwavanezenge varoorwa. Saka nhaka yavo ichabviswa munhaka yedzinza ramadzibaba edu.” Mosesi akapa vaIsiraeri murao waTenzi achiti, “Zviri kutaurwa nevedzinza revana vaJosefi ndizvo chaizvo. Zvataurwa naTenzi panyaya yavanasikana vaZerofehadhi ndezvizvi: zvokuti ngavaroorwe zvavo navarume vavanoda, asi vanovaroora ngavave vomudzinza rababa vavo. Naizvozvo nhaka yavaIsiraeri ngairege kuzobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe nokuti mumwe nomumwe wavaIsiraeri anofanira kuramba akati kwati nenhaka yamadzibaba ake. Mwanasikana wose ane nhaka mudzinza ripi neripi ravaIsiraeri ngaaroorwe nomurume wemhuri yomudzinza rababa vake kuitira kuti muIsiraeri wose agare ari munhaka yamadzibaba ake. Saka hakuna nhaka inozobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe, nokuti dzinza rimwe nerimwe ravaIsiraeri richaramba rakati kwati nenhaka yaro pacharo.” Vanasikana vaZerofehadhi vakaita zvakaudzwa Mosesi naTenzi. Vanasikana vaZerofehadhi ava vaiti Mahara naTiriza naHogira naMirika naNowa vakaroorwa nehanzvadzi dzavo dzokumadzibabamukuru namadzibabamudiki avo. Vakaroorwa kumhuri dzedzinza raManase mwanakomana waJosefi, nhaka yavo ikaramba ichingova mudzinza remhuri yababa wavo. Iyi ndiyo mitemo nemirao yakatemerwa vaIsiraeri naTenzi ichipiwa nokuna Mosesi vari mumapani eMoabhu pana Jorodhani pakatarisana neJeriko. Aya ndiwo mashoko akataurwa naMosesi kuvaIsiraeri vose vachiri mhiri kwaJorodhani, murenje reArabha pakatarisana neSufu, vari pakati pamaguta aya anoti: Parani neToferu neRabhani neHazeroti neDhizahabhu. Kubva kuGomo reHorebhu uchienda nokugomo reSeiri kundosvika kuKadheshibharinea rwendo rwamazuva gumi nerimwechete. Mugore ramakumi mana pazuva rokutanga romwedzi wegumi nechiposhi vabva Ijipiti, Mosesi akarondedzera vaIsiraeri zvose zvaakarayirwa naTenzi pamusoro pavo. Akavarondedzera izvi abva mukukunda Sihoni mambo wevaAmori aigara muHeshibhoni naOgu mambo weBhashani aigara muAshitaroti nomuEdhirei. Vachiri mhiri kwaJorodhani ikoko, munyika yeMoabhu, Mosesi akatanga kutsanangura mutemo uyu. Akati, “Tichiri kuHorebhu Tenzi Mwari wedu akatiti, ‘Nguva yamagara pagomo pano, yareba. Zvino chisumukai munange nechokumakomo kunyika yevaAmori namatunhu ose akaipoteredza anoti: renje reArabha namakomo namapani neNegevhu namatunhu anotevedza gungwa, nenyika yevaKanani neyeRebhanoni kusvikira kurwizi rukuru rwaYufuratesi. Iyoyi ndiyo nyika yandinokupai. Chipindai muitore muiite yenyu. Ndiyo nyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzibaba enyu vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho nezvizvarwa zvavo.’ ” Mosesi akaenderera mberi achiti, “Panguva iyoyo ndakakutaurirai kuti, ‘Ini handichakwanisi kukutongai ndiri ndoga. Tenzi Mwari wenyu akakuitai kuti muwande. Zvino tarisai muone pari nhasi mawanda senyenyedzi dzedenga. Tenzi Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwanzei kazana kakazanirana. Ngaakukomborerei sokukutsidzirai kwaakaita. Ndakati ko zvino ini ndoga ndingakwanise seiko kutakura nhuna dzenyu nemitoro yenyu nokukakavadzana kwenyu? Chisarudzai varume vane ungwaru vanonzwisisa mumadzinza enyu, vanoziva zvoupenyu ndigovaita vakuru vakuru venyu.’ Ipapo imi makanditi, ‘Zvamataura zvakanaka kuti tiite.’ Saka ndakatora vakuru vakuru vomumadzinza enyu vane ungwaru vagara noupenyu ndikavaita vatungamiriri venyu vemapoka mamwe ezviuru mamwe amazana mamwe emakumi mashanu mamwe egumi ravanhu. Ndakagadzawo makurukota mumadzinza enyu. “Panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu ndichiti, ‘Inzwai mhosva dzehama dzenyu mutonge zviri pamwero kunyange iri mhosva iri pakati pehama nehama kana mhosva iri pakati pehama kana nomutorwa waagere naye. Musaite chizivano pakutonga. Teererai mhosva yomudiki kana yomukuru zvimwechetezvo. Musanyare munhu uso nokuti kutonga ndokwaMwari. Asi kana kuine mhosva yakaoma yamusingakwanisi kutonga uyai nayo kwandiri ndiinzwe.’ Panguva iyoyo ndakakurayirai zvinhu zvose zvamunofanira kuita. “Takasimuka tichibva paHorebhu tikapfuura nomuzigwenga guru rinotyisa riya ramakaona munzira yokumakomo omunyika yavaAmori sokurayirwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu. Takazosvika kuKadheshibharinea. Ipapo ndakati kwamuri, ‘Zvino mazosvika kumakomo omunyika yavaAmori yatinopiwa naTenzi Mwari wedu. Chitarisai muone nyika yamapiwa naTenzi Mwari wenyu. Chiendai mundoitora sokutaura kwakaita Tenzi Mwari wamadzibaba enyu. Regai kutya kana kuzeza.’ Mose makauya kwandiri mukati, ‘Ngatitumei varume vanoenda kundotisorera nyika iyoyo, vanozodzoka votiudza nzira yokuenda nayo namaguta atingasvikire.’ “Ndakafadzwa nazvo, ndikasarudza varume gumi navaviri ndichitora murume mumwechete mudzinza roga roga. Vakasumuka vakaenda nokunyika yemakomo, vakandosvika kubani reEshikoru vakarisora. Vakadzoka vakabata mumaoko mimwe michero yenyika iyoyo yavakativigira. Vakatiunzirawo shoko rokuti, ‘Nyika yatiri kupiwa naTenzi Mwari wedu yakanaka.’ “Asi makaramba kuendako mukatoita zvenyu zvakapesana nezvakarayirwa naTenzi Mwari wenyu. Makanyunyuta muri mumatendhe enyu muchiti, ‘Tenzi anotivenga, saka akatiburitsa kuIjipiti kuzotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze. Zvino toendepiko? Hama dzedu dzatiodza mwoyo dzichiti, Vanhu veko ihofori dzavanhu, vakareba kupfuura isu. Maguta avo makuru ane nhungamakore dzamasvingo. Takaonawo hofori dzokwaAnakimu dziriko.’ “Asi ini ndakakutii, regai kuvazeza kana kuvatya. Tenzi Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai sezvaakakuitirai muIjipiti muchizviona nameso enyu. Achakuitirai sezvaakaita kurenje kwamakaona Tenzi Mwari wenyu achikutakurai kwose kwose kwamakaenda somunhu anotakura mwana wake kudzamara musvike pano. Kunyange zvakadaro, hamuna kutenda naTenzi Mwari wenyu. Murwendo rwenyu ndiye aifanotungamira kundokutsvakirai pokudzika matendhe enyu achikutungamirirai nzira yokuenda nayo usiku nomoto, masikati negore. “Tenzi akanzwa zvamakareva zvikamutsamwisa. Akapika achiti, ‘Hakuna nomumwe wechizvarwa ichi chakaipa achazoona nyika yakanaka yandakatsidzira kupa madzibaba enyu kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, ndiye achaiona. Iye navana vake, ndichavapa nyika yaakambotsika nokuti akateerera Tenzi nomwoyo wake wose.’ Kunyange neni, Tenzi akanditsamwirawo pamusana penyu akati, ‘Newewo hauchambomupinda.’ Joshuwa mwanakomana waNuni waunaye, ndiye achapindamo. Mukurudzire nokuti ndiye achatungamirira vaIsiraeri pakutora nhaka iyoyo. “Asi pwere dzenyu dzamakati dzichatapwa pamwechete navana venyu vasati vaziva chakanaka kana chakaipa pari nhasi, ndivo vachapindamo, uye ndivo vandichapa nyika iyoyo kuti ive yavo. Zvino imimi chisimukai mupindukire kurenje, munopinda munzira yokuGungwa Dzvuku. “Imi makandipindura muchiti, ‘Tatadzira Tenzi. Zvino tava kuenda zvedu kundorwa sokuudzwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu.’ Ipapo mumwe nomumwe wenyu akapakata zvombo zvake, muchitofunga zvenyu kuti inyore kukwira kunyika yamakomo. “Tenzi akanditi, ‘Vaudze kuti; regai zvokuenda kundorwa nokuti handinemi mungandokurirwa navavengi venyu.’ Ndakakuudzai asi makaramba kunzwa. Makatoita zvenyu zvakapesana nezvavakaudzwa naTenzi, mukaita zvokuzvikudza muchienda kunyika yokumakomo. VaAmori vagere munyika yamakomo vakakubudirai vakakudzingirirai senyuchi, vakakurizhai kubvira paSeiri kundosvika kuHoruma. Makadzoka mukachema kuna Tenzi, asi Tenzi haana kunzwa kuchema kwenyu kana kuteerera kwamuri. Ndokusaka makagara paKadheshi kwenguva ndefu, iya yamakagarapo. “Takazosimudzira rwendo rwedu topinda murenje. Takapinda munzira yokuGungwa Dzvuku sokuudzwa kwandakaitwa naTenzi. Takadzengerera tiri mumakomo eSeiri kwamazuva mazhinji. Tenzi akanditi, ‘Kudzengerera kwamaita munyika ino yamakomo kwakwana. Chinangai nechokuchamhembe. Udzai vanhu kuti iye zvino izvi mava kupfuura nomunyika yehama dzenyu vana vaEsau vagere munyika yeSeiri. Vachakuzezai, saka itai makachenjera. Musadenhana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavo, kwete, kunyange kanzvimbo kanokwana kutsika rutsoka zvarwo nokuti ndakapa gomo reSeiri kuna Esau senhaka yake. Zvokudya zvenyu muchatoita zvokutotenga nemari kwavari kana mvura yenyu yokunwa muchatoita zvokutenga nemari kwavari.’ “Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu akakukomborerai pane zvose zvamakaita namaoko enyu. Akakuchengetai pamaidzungaira muzigwenga guru iri. Kwamakore makumi mana aya Tenzi Mwari wenyu akanga achingova nemi. Hapana chamakashaya. “Takazobva paiva nehama dzedu vana vaEsau vaigara munyika yeSeiri panzira yeArabha kuErati pakadziva kuEzionigebheru. Takazonanga nenzira yokurenje reMoabhu. Tenzi akanditi, ‘Musambonetsa vaMoabhu, kana kurwisana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavo kuti ive nhaka yenyu nokuti ndakapa guta reAru kuvana vaRoti kuti ive nhaka yavo.’ ” (Kare rudzi rwavaEmimu ndirwo rwaigaramo. Vaiva rudzi rukuru, rune vanhu vakawanda, vakareba sehofori dzerudzi rwavaAnakimu. SevaAnakimu ivo vainziwo vaRefaimu asi vaMoabhu vaivatumidza kuti vaEmimu. Kareko vaHori vaigara kuSeiri. Asi vana vaEsau vakavatorera nyika yavo vakavaparadza ndokubva vagaramo ivo sezvakaitwa navaIsiraeri munyika yavakapiwa naTenzi kuti ive nhaka yavo). “Takazonzi chisumukai muyambuke karukova Zeredhi, tikayambuka. Kwakapera makore makumi matatu namasere kubvira musi watakabva paKadheshibharinea kusvikira musi watakayambuka Zeredhi, kudzamara chizvarwa chose chavarume vose vaikwanisa kuenda kuhondo chapera kufa vasisimo mumatendhe sokupikirwa kwavakaitwa naTenzi. Tenzi nesimba rake akaramba achingovapedza nokufa kudzamara vose vapera. “Kuzoti varume vaya vezero raikwanisa kuenda kuhondo vapera kufa pakati pevaIsiraeri, Tenzi akanditi, ‘Nhasi uno munofanira kudimura muganho weMoabhu paAru. Mukange masvika munyika yavaAmoni musambovanetsa kana kudenhana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavaAmoni kuti ive nhaka yenyu nokuti ndakaipa vana vaRoti kuti ive yavo.’ ” (Nyika iyoyo inonziwo nyika yavaRefaimu. VaRefaimu ndivo vaimbogaramo kare, asi vaAmoni vaivatumidza kuti maZamuzumimu. Vakanga vari rudzi rukuru rune vanhu vakawanda, vakareba sehofori dzorudzi rwavaAnakimu. Asi Tenzi akavaparadza, vaAmoni ndokutora nyika iyoyo ndokubva vazogara panzvimbo pavo. Tenzi ndizvo zvaakanga aitirawo vana vaEsau vagere munyika yeSeiri. Akaparadza vaHori, ivo ndokuvatorera nyika yavo ndokubva vagaramo. Vachiri kugaramo nanhasi. Ndizvo zvakaitwawo nevaKafutorimu vanobva kuKafutori, vakaparadza vaAvhimu vaiva nemisha yavo yaisvika kuguta reGaza, ndokubva vagaramo ivo). “Takazonzi chisumudzirai rwendo rwenyu muyambuke Arinoni. Onai ndaisa Sihoni muAmori mambo weHeshibhoni nenyika yake mumaoko enyu. Mudenhei mumurwise muchitanga kumutorera nyika yake. Kubvira nhasi uno ndichaita kuti marudzi ose apanyika avhunduke akutyei. Vose vachazonzwa nezvenyu vachadedera vachikutyai. “Ndakatuma nhume kuna Sihoni mambo weHeshibhoni tiri kurenje reKedhemoti namashoko orugare okuti, ‘Tibvumireiwo kuti tipfuure nomunyika menyu. Tichangoramba takati tande nenzira chete. Hatimbotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe. Zvokudya zvedu tichatoita zvokutenga nemari kwamuri, kana mvura yokuti tinwe tichatoita yokutenga nemari kwamuri. Tibvumireiwo kutsika nomunyika menyu sezvatakaitirwa navana vaEsau vagere kuSeiri, nevaMoabhu vagere kuAru kusvikira tayambuka Jorodhani tichindopinda munyika yatinopiwa naTenzi Mwari wedu.’ “Asi Sihoni mambo weHeshibhoni akatirambidza kutsika nomo nokuti Tenzi Mwari wedu akamusindimadza akamuomesa mwoyo wake kuti amuise mumaoko enyu sezvaari nhasi. “Tenzi akati kwandiri, ‘Chionai, ndava kuisa Sihoni nenyika yake mumaoko enyu. Chitangai kutora nyika yake muiite yenyu.’ Ipapo Sihoni akativinga nevanhu vake vose vakatirwisa paJahazi. Asi Tenzi Mwari wedu akamuisa mumaoko edu tikamukurira navanakomana vake navanhu vake vose. Takatora maguta ake ose panguva iyoyo tikanyatsoparadza maguta ose navarume navakadzi navapwere. Hakuna kunyange nomumwe wavo watakasiya ari mupenyu. Mombe chete ndidzo dzatakatora sechinhu chedu isu chokupamba nezvinhuwo zvokuzogovana zvomumaguta atakatora. Kubvira kuguta reAroero riri nechokumucheto webani reArinoni neguta riri munyasi morukova imomo kundosvika kuGireadhi, kwakanga kusina maguta akanga ane tsvingo dzakareba zvokuti taitadza kukwira. Tenzi Mwari wedu akaaisa ose mumaoko medu. Asi hatina kuenda kunyika yavaAmoni, kana kumapani aJabhoku kana kumaguta enyika yamakomo, kana kuenda kune dzimwe nzvimbo kwatakarambidzwa naTenzi Mwari wedu. “Takazosimudzira rwendo toenda kuBhashani. Ogu mambo weBhashani, akativinga navanhu vake vose kuzotirwisa kuEdhirei. Asi Tenzi akanditi, ‘Usamutye nokuti iye navanhu vake vose, nenyika yake yose, ndavaisa mumaoko ako. Uchaita kwaari zvawakaita kuna Sihoni mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni.’ “Saka Tenzi Mwari wedu akaisawo Ogu mambo weBhashani navanhu vake vose mumaoko edu. Takavarakasha zvokuti hakuna nomumwe wavo watakasiya ari mupenyu. Ipapo takatora maguta ake ose, hakuna guta ratisina kuvatorera. Takatorera Ogu nyika yaaitonga muBhashani, maguta makumi matanhatu, ari munyika yeArigobhu. Maguta ose iwaya aiva akakomberedzwa netsvingo ndefu, nemisuo mikuru ine zvihuri, nemimwewo misha yakanga isina tsvingo. Takanyatsoaparadza sezvatakaita kuna Sihoni mambo weHeshibhoni. Takaparadza maguta ose navarume navakadzi nepwere. Mombe nezvinhu zvomumaguta ndizvo zvatakapamba. “Panguva iyoyo takatora nyika dzamadzimambo maviri avaAmori, vaigara mhiri kwaJorodhani, kubvira kubani reArinoni kundosvika kugomo reHerimoni. (VaSidhoni vanoriti Sirioni, vaAmori vachiriti Seniri.) Takatora maguta ose apamutunhu neGireadhi yose neBhashani yose kusvikira kuSareka neEdhirei maguta omuBhashani nyika inotongwa naOgu. (Ogu mambo weBhashani ndiye woga worudzi rwehofori dzavaRefaimu akanga achiri mupenyu. Zvinongooneka neguva rake resimbi riri kuRabha guta revaAmoni. Guva racho rakareba mamita mana, upamhi hwaro hwakaita mamita anenge maviri nomwero chaiwo wamamita). “Patakatora nyika iyoyi, ndakapa vedzinza raRubheni nevedzinza raGadhi nyika inobvira kuguta reAroero riri pedyo nebani raArinoni nechidimbu chenyika yeGireadhi nemaguta ayo. Chimwe chidimbu cheGireadhi chakasara, nenyika yeBhashani yose yaitongwa naOgu ndakaipa kuchidimbu chedzinza raManase. (Zvinoreva kuti nyika yose yeArigobhu kusvikira kuBhashani inotumidzwa kuti nyika yehofori dzavaRefaimu. Jairi wedzinza raManase akatora nyika yose yeArigobhu inonzi Bhashani kundosvika kumuganho wavaGeshuri navaMaaka, ndokutumidza maguta iwayo nezita rake kuti maguta aJairi, zvaari nanhasi). “Ndakapa nyika yeGireadhi kuna Makiri. Vedzinza raRubheni nevedzinza raGadhi ndakavapa kubvira kuGireadhi kusvikira kubani raArinoni, muganho wenyika yavo uri pakati pebani iroro kundosvika kuna Jabhoko runovaganhuranisa nevaAmoni. Muganho wayo wokumadokero irenje reArabha naJorodhani kubvira kuchamhembe kugungwa reKinereti zvichienda kumaodzanyemba kuGungwa reMunyu kusvikira mujinga meGomo rePisiga kumabvazuva. “Ipapo ndakakuudzai kuti, ‘Tenzi Mwari wenyu akakupai nyika iyoyo kuti muiite yenyu. Varwi venyu ngavapakate zvombo zvavo vayambuke Jorodhani vatungamire mberi kwehama dzavo vaIsiraeri. Asi madzimai enyu nepwere dzenyu nemombe dzenyu, zvose zvichasara zviri mumaguta andakakupai. (Ndinozviziva kuti mune mombe zhinji.) Muchaita izvozvi kudzamara Tenzi apawo hama dzenyu nzvimbo dzokuchizorora sezvaakakuitiraiwo imi. Kusvikira vatora nyika yavari kupiwa naTenzi mhiri kwaJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu ndipo paachazodzokera kunhaka yake yandakamupa.’ Panguva iyoyo ndakaudza Joshuwa kuti, ‘Wakaona nameso ako zvose zvakaitwa naTenzi kuna madzimambo maviri aya. Ndizvo zvichaitwa naTenzi kuna madzimambo ose amuchayambukira. Musambovatya nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye anokurwirai.’ “Panguva iyoyo ndakateterera kuna Tenzi ndichiti, ‘Nhai Tenzi Mwari ndinozviziva kuti zvose zvamakandiratidza zvinongova mavambo oukuru hwenyu nesimba renyu nokuti ariko here Mwari kudenga kana pasi pano angaite mabasa akadaro namasimba angaenzaniswa neenyu? Ndapota ndibvumireiwo kuyambukira mhiri kwaJorodhani ndingondoonawo nyika iyoyo yakanaka ikadai, nyika yamakomo yakanakisisa neRebhanoni.’ “Asi Tenzi akandishatirirwa nokuda kwenyu, akasandinzwa. Ipapo Tenzi akanditi, ‘Zvakwana, chirega kutaurazve nezvenyaya iyi kwandiri. Chikwira pamusoro pegomo utarise kumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba nokumabvazuva uione nameso ako nokuti iwe hausi kuzoyambuka Jorodhani. Asi taurira Joshuwa umukurudzire nokumushingisa nokuti ndiye achatungamirira vanhu ava kuyambuka vachindotora nyika iyoyo yauchaona kuti ive yavo.’ “Naizvozvo takaramba tiri mubani rakatarisana neBhetipeori.” Mosesi akati, “Imi vaIsiraeri, chinzwai zvino mitemo nemirao yandava kukudzidzisai kuti muichengete, mugorarama. Ndiko kuti muyambuke mutore nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu. Musambowedzera zvenyu kana kutapudza chinhu pamitemo yandichakupai. Chengetai mitemo yaTenzi Mwari wenyu yandava kukuudzai. Makaona nemeso enyu zvakaitwa naTenzi kuBhaaripeori kuvanhu vaitevera mwari wepagomo rokuPeori. Tenzi Mwari wenyu akavaparadza pakati penyu. Asi imi makaramba makati kwati kwati naTenzi Mwari wenyu mose muchiri vapenyu nanhasi uno. “Chionaika, ndakakudzidzisai mitemo nemirao sokuudzwa kwandakaitwa na Tenzi Mwari wangu kuti muichengete munyika yamava kupinda kuti mutore. Iteererei muichengete nokuti kwamuri, ndihwo ungwaru nokunzwisisa kune ndudzi dzavanhu vachakuonai. Pavachanzwa mitemo iyoyi vachati, ‘Chokwadi rudzi urwu rudzi rukuru, rwavanhu vakangwara vanonzwisisa.’ “Ko, kune rudzi here rukuru runa mwari ari pedyo narwo sezvakaita isu naTenzi Mwari wedu ari pedyo nesu patinomudaidza? Pane rudzi here rukuru rune mitemo nemirao yakarurama sebumbiro rose romutemo randiri kukupai nhasi uno? Chasara kwamuri ndechichi, chingwarirai kuti murege kukanganwa muupenyu hwenyu hwose, zvamakaona zvirege kubuda muhana dzenyu. Taurirai vana venyu navana vavana venyu nezvezuva riya ramakamira pamberi paTenzi Mwari wenyu pagomo reHorebhu. Tenzi akanditi, ‘Ndiunganidzire vanhu. Ndinoda kuvaudza mashoko angu kuti vadzidze kunditya upenyu hwavo hwose vagodzidzisawo vana vavo kuitawo saizvozvo.’ “Imi makaswedera pedyo, mukasvikomira mujinga megomo rainganduma moto une murazvo waisvika mudengadenga, iro gomo rakati kwirindindi, rakaputirwa negore rakasviba kuti ndoo. Tenzi akataura nemi ari mukati memoto, mukanzwa izwi rake asi hamuna kuona chimiro chake. Makangonzwa izwi rake chete. Akakuisirai pachena chitenderano chake chezvaanoti muite chemitemo gumi yaakanyora pamafendefa amabwe maviri. Panguva iyoyo Tenzi akandiudza kuti ndikudzidzisei mitemo nemirao yamunofanira kuchengeta munyika yamava kuyambukira kundotora kuiita yenyu. “Tenzi paakataura kwamuri paGomo reSinai ari mumoto, hamuna kuona chimiro chake. Saka imi zvichenjererei mungazodaro mukatadzira Tenzi mava kuzvigadzirira chifananidzo chine chimiro chakafanana nomurume kana mukadzi, kana mhuka zvayo iri panyika, kana shiri inobhururuka mudenga, kana mifananidzo yechii zvacho chinokambaira napasi, kana chehove dzomumvura pasi penyika. Ngwarirai kuti, mungazoti kana matarisa mudenga mukaona zuva nomwedzi nenyenyedzi negurusvusvu radzo mudenga umu, motorwa mwoyo, moda kuzvipfugamira nokuzvinamata, izvo zviri zvinhu zvakapiwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga. Asi Tenzi akakununurai muIjipiti yainge vira romoto kuzokuitai vanhu vake sezvamuri nhasi uno. Uye Tenzi akandishatirirwa nokuda kwenyu akandipikira kuti handizoyambuki Jorodhani ndichipinda munyika yakanaka yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu. Ndinodaro nokuti ini ndichafira munyika ino, handichayambuki Jorodhani. Asi imi ndimi muchayambuka kundotora nyika yakanaka iyoyo. Chenjererai kuti murege kukanganwa chitenderano chamakaitirana naTenzi Mwari wenyu, mozvigadzirira zvifananidzo zvakafanana nechii zvacho chamakarambidzwa naTenzi Mwari wenyu nokuti Tenzi, Mwari wenyu moto unopisa, Mwari weshanje. “Kana mukazobereka vana magara kwenguva ndefu munyika iyoyo mava navazukuru, musazotadzira Tenzi momushatirisa muchizvigadzirira chifananidzo chakafanana nechii zvacho. Nhasi uno denga nenyika ngazvindipupurirewo chokwadi chokuti, kana mangodaro imi muchapera kuti nhoo munyika iyoyo yamuri kuyambukira Jorodhani kundoitora. Hamuzombogara mazuva akawanda, munopera imi kuti dhu. Tenzi achakuparadzirai kune dzimwe ndudzi. Muchasara mava vashoma kudzimwe ndudzi ikoko kwamunenge maendeswa naTenzi. Muri ikoko muchanamata vamwari vokuveza nevamabwe zvakagadzirwa namaoko avanhu. Vamwari vacho havaoni kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza. Asi muri ikoko muchatsvaka Tenzi Mwari wenyu, kana mukazvipira kumutsvaka nomwoyo wenyu wose muchamuwana. Kana mava mumatambudziko, zvose izvozvi zvakuwanai muchadzokera zvenyu kuna Tenzi Mwari wenyu moteerera izwi rake nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiMwari ane tsitsi. Haakufuratirei kana kukuparadzai kana kukanganwa chitenderano chaakaita namadzitateguru enyu. “Imbobvunzaiwo zvepasi chigare, pamakange musati maberekwa kubvira pazuva rakasika Tenzi, munhu panyika. Bvunzai kubvira kumugumo mumwe wenyika kusvikira kune mumwe kana kwakamboitika kana kunzwika chinhu chakadai. Ndorupiko rudzi rwavanhu vakambonzwa izwi raMwari achitaura ari mumoto samanzwiro amakaita vakaramba vari vapenyu? Ko kune mumwe mwari here akambotora rumwe rudzi achirubvisa mune rumwe rudzi achiruita rwake sezvakaitwa imi naTenzi Mwari wenyu muIjipiti? Tenzi akaratidza simba rake guru akaita zviedzo nezviratidzo nezvishamiso nehondo nezvimwe zvinotyisa zvaakaita muchiona. Akakuratidzai izvozvo kuti muzive kuti Tenzi ndiye Mwari oga, hakuna mumwezve kunze kwake. Akakuregai muchinzwa izwi rake richibva kudenga kuti akudzidzisei, akakuitai kuti muone moto wake mukuru pasi pano, mukanzwa izwi rake richibva mukati memoto. Tenzi zvaakada madzitateguru enyu, akazosarudza vana vavo, akakubudisai muIjipiti achikuratidzai kuvapo kwake. Akadzinga ndudzi huru dzavanhu dzakanga dzakasimba kupfuura imi, kuti akupinzei imomo, akupei nyika yavo kuti ive yenyu sezvairi nanhasi. Naizvozvo nhasi chibatisisai izvi muzviise mumwoyo yenyu zvokuti Tenzi ndiye Mwari, kumusoro kudenga napasi pano hakuna mumwezve kunze kwake. Saka chiteererai mitemo nemirao yandinokuudzai nhasi kuti zvikunakirei imi nezvizvarwa zvenyu, mazuva enyu agowanda amuchagara munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu nokusingaperi.” Zvino Mosesi akatsaura maguta matatu mhiri kumabvazuva kwaJorodhani okuti kana munhu anenge auraya mumwe mukusaziva ivo vanga vasingavengane kare, awane kwokutizira achindopotera nokuponesa upenyu hwake. Munyika yevedzinza raRubheni akasarudza guta reBhezeru riri pakakwirira murenje. MuGireadhi nyika yevedzinza raGadhi akasarudza guta reRamoti. MuBhashani nyika yevedzinza raManase akasarudza guta reGorani. Iri ndiro bumbiro romutemo rakapiwa vaIsiraeri naMosesi. Izvi ndizvo zvirevo nemitemo nemirao yakaudzwa vaIsiraeri naMosesi pavakabuda muIjipiti. Izvozvi vakanga vari mhiri kwaJorodhani mubani rakatarisana neBhetipeori munyika yaSihoni, mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni. Ndiye uya akakurirwa naMosesi navaIsiraeri pavakabva kuIjipiti. Vakatora nyika yake, nenyika yaOgu mambo weBhashani. Madzimambo aya maviri evaAmori aigara kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani. Nyika iyoyi yaibvira kuAroero mubani reArinoni ichikwidza kusvikira kuGomo reSirioni (ndiro gomo reHerimoni), ichitandira matunhu ose okurenje reArabha ari kumabvazuva kwaJorodhani. Kumaodzanyemba inosvika kuGungwa roMunyu, kumabvazuva ichindosvika mujinga megomo rePisiga. Mosesi akaunganidza vaIsiraeri vose akati kwavari, “Teererai munzwe imi vaIsiraeri mitemo nemirao yandava kutaura nhasi muchinzwa. Idzidzei munyatsoichengeta. Tenzi Mwari wedu akaita chitenderano nesu pagomo reHorebhu. Tenzi haana kuita chitenderano ichi namadzibaba edu chete, asi nesu tose iyesu vapenyu kudai ipo pano nhasi. Tenzi akataura nemi makatarisana naye uso nouso pagomo riya, iye ari mukati memoto. Panguva iyoyo ini ndaiva munyai pakati penyu naTenzi, ndichikuzivisai shoko raTenzi nokuti imi maitya. Maitya nokuda kwemoto, saka musina kukwira mugomo. “Tenzi akati, ‘Ndini Tenzi Mwari wenyu. Ndakakubudisai munyika yeIjipiti kwamaiva muuranda.’ “Usave navamwe vamwari kunze kwangu. Usazvigadzirire chifananidzo chokunamata chokuveza, kana kuita chinhu chakafanana nechii zvacho chiri kumusoro kudenga, kana chiri panyika pasi pano, kana chiri mumvura pasi pasi penyika. Usapfugamire zvifananidzo izvozvo kana kuzvinamata nokuti ini Tenzi Mwari wako ndiri Mwari aneshanje. Ndinoranga vose vanondivenga, shamhu yangu ichirova vana vavo, ndichivarangira zvitadzo zvamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina. Asi ndinogara ndichiitira mwoyochena zviuru nezviuru zvavanhu vanondida vanochengeta mitemo yangu. “Usataure zita raTenzi Mwari wako zvisina maturo nokuti Tenzi haangaregi kupa mhosva munhu anotaura zita rake zvisina maturo. “Chengeta zuva reSabata urierese sokuudzwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. Kwamazuva matanhatu, shanda zvako uite basa rako rose. Asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi Mwari wako. Pazuva iroro usaite basa, iwe kana mwana wako mukomana, kana musikana, kunyange munhu anokushandira, murume kana mukadzi, kana nzombe yako, kana dhongi rako, kana chipfuwo chako chipi nechipi zvacho, kunyange muuyi agere nemi kuitira kuti munhu anokushandira murume kana mukadzi azororewo sewe. Rangarira kuti iwe waiva muranda munyika yeIjipiti, Tenzi Mwari wako akakubudisamo noukuru hwake nesimba rake guru. Naizvozvo Tenzi Mwari wako akakuudza kuti uchengete Sabata. “Remekedza baba vako namai vako, sezvawakaudzwa naTenzi Mwari wako, kuti mazuva ako awande zvigokunakira munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. Usauraye. Usaite upombwe. Usabe. Usapupurire mumwe nhema. Usachive mukadzi womumwe wako. Usachive imba yake, kana munda wake, kana munhu anomushandira murume kana mukadzi, kunyange nzombe yake, kana dhongi rake, kana chii zvacho chomumwe wako.” Mitemo iyoyi Tenzi akaitaura nezwi rake guru kugungano renyu rose ari mukati memoto negore riya rakanga rakasviba kuti ndoo, haana kuenderera mberi. Akainyora pamafendefa maviri emabwe, akandipa. “Imi pamakanzwa izwi richibva muzarima, iro gomo richinganduma moto imi navatungamiriri vamadzinza enyu navakuru vakuru venyu makauya kwandiri mukati, ‘Tarisai muone kuti Tenzi Mwari wedu aratidza mbiri yake noukuru hwake. Tanzwa izwi rake richibva mukati memoto, tikabva tazvionera nhasi kuti Mwari anogona kutaura nomunhu, munhu agokwanisa kuramba ari mupenyu. Zvino tofireiko? Moto mukuru iwoyu uchatiroromesa, kana tikazonzwazve izwi raTenzi Mwari wedu tinofa nokuti pavanhu vose zvavo ndianiko akambonzwa izwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto sezvatakaita akaramba ari mupenyu? Chiendai imi munotinzwira zvose zvinotaurwa naTenzi Mwari wedu. Zvose zvamunenge mataurirwa naTenzi Mwari wedu tiudzei, tizviteerere tigozviita.’ “Tenzi paakanzwa zvamakareva, akati kwandiri, ‘Zvataurwa navanhu ava ndazvinzwa. Zvavataura kwauri zvose zvakanaka, dai waro vakangoramba vane mwoyo wakadaro wokundiremekedza, nokuchengeta mitemo yangu zvinhu zvose zvingavanakire ivo navana vavo narini narini! Chienda undovaudza kuti vadzokere zvavo kumatendhe. Asi iwe sara kuno neni. Ndichakutaurira zvirevo nemitemo nemirao yose yauchavadzidzisa kuti vandoichengeta munyika yandiri kuvapa kuti ive yavo.’ “Zvino chenjererai kuita zvose zvamakaudzwa naTenzi Mwari wenyu, musingatsaudzire moita zvomusoro wenyu. Munofanira kutevedza zvose zvamakaudzwa naTenzi Mwari wenyu kuti murarame, zvikunakirei, mazuva enyu awande munyika iyoyo ichazova yenyu. “Izvi ndizvo zvirevo nemitemo nemirao yandakataurirwa naTenzi Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei mugoichengeta munyika yamava kuyambukira kundotora. Ndinodaro kuitira kuti muremekedze Tenzi Mwari wenyu. Imi navana venyu navazukuru venyu ndinokuudzai kuti muchengete mitemo nemirao yake yose, mazuva ose oupenyu hwenyu kuti mazuva enyu awande. Saka imi vaIsiraeri iteererei muichengete, kuti zvikunakirei, muwande zvakanyanya munyika yakanaka yomukaka nouchi sokuvimbisa kwamakaitwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu. “Teerera unzwe iwe Isiraeri. Tenzi Mwari wedu ndiye Mwari oga. Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Mitemo iyoyi yandinokuudza nhasi ngaigare mumwoyo mako. Nyatsoidzidzisa vana vako. Uitaure wataurazve ugere mumba mako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge urere pasi, napaunomuka. Uisungirire paruoko rwako chive chiratidzo, uisungirirewo pahuma yako netsungare. Inyore pamagwatidziro emba yako napamisuo yako mikuru. “Tenzi Mwari wako paachazenge akuunza munyika yaakatsidzira kumadzibaba ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho kuzokupa nyika ina maguta makuru akanaka amusina kumbovaka ane dzimba dzizere zvinhu zvakanaka, zvausina kuisamo, namatsime ausina kumbochera, neminda yemagirepisi neyemiorivhi yausina kumbosima, wadya zvokuguta, chenjerera kuti urege kukanganwa Tenzi akakubudisa munyika yeIjipiti kwamaiva muuranda. Remekedza Tenzi Mwari wako, umushandire, upike nezita rake. Usatevere vamwe vamwari, kana vamwari vendudzi dzavanhu vagere munharaunda yako, nokuti Tenzi Mwari wako ndiMwari weshanje. “Usaedze Tenzi Mwari wako sezvawakamboita kuMasa. Unofanira kunyatsochengeta mitemo yaTenzi Mwari wako, nechitenderano chake, nemirao yaakakupa. Zvinonzi naTenzi zvakarurama nezvakanaka, ndizvo zvaunofanira kuita, kuti zvikufambire zvakanaka, ukwanise kundotora nyika yakanaka yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru ako, nokukudzingira vavengi vako sokuvimbisa kwaakaita. “Panguva ichauya kana mwana wako ozokubvunza achiti, ‘Ko zvakambouya seiko kuti tive nechitenderano nemitemo nemirao yamakapiwa naTenzi Mwari wenyu?’ Ipapo uchamutaurira kuti, ‘Taiva varanda vaFarao muIjipiti ndokubva Tenzi atiburitsa muIjipiti nesimba guru, Tenzi, akaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvairwadza vaIjipiti naFarao nemhuri yake yose tichizviona. Akatiburitsamo kuti atiunze nokutipa nyika yaakatsidzira madzibaba edu. Saka Tenzi akatiudza kuchengeta mirao iyoyi yose, nokuremekedza Tenzi Mwari wedu kuti zvitinakire nguva dzose, uye kuti atichengete tiri vapenyu sezvatiri iye nhasi uno. Kwatiri isu ndohuchava ururami kana tikanyatsochengeta mitemo iyoyi yose pana Tenzi Mwari wedu sokutiudza kwaakaita.’ “Kana Tenzi Mwari wenyu azokuunzai munyika yamuri kundotora, achakudzingirai marudzi aya avanhu akasimba anoti: vaHiti navaGirigashi navaAmori navaKanani navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. Kana Tenzi Mwari wenyu avaisa mumaoko enyu, mukavakunda, vaparadzei zvachose. Musaite chitenderano navo kana kuvanzwira tsitsi. Imi navana venyu, musaroorerane navo nokuti vachatsautsa vana venyu pakunditevera vondoshandira vamwe vamwari. Ipapo muchashatirisa Tenzi achibva akuparadzai nokukasika. Izvi ndizvo zvamuchaita navo: muchapaza atari dzavo, moputsa mbiru dzamabwe akateketerwa, mopwanya zvifananidzo zvavo zvezvimiti zvinomiririra Ashera nokupisa nomoto zvifananidzo zvavo zvakavezwa. Ndinodaro nokuti imi muri vanhu vatsvene vakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Tenzi Mwari wenyu akakusarudzai pakati pamarudzi ose, apasi pano pose, kuti muve vanhu vake pachake. “Hakusi kuwanda kwenyu kupfuura vamwe kwakaita kuti Tenzi akudei nokukusarudzai nokuti maiva vashoma kwazvo pana mamwe marudzi ose. Asi nokuti Tenzi anokudai, aidawo kuchengetedza chitsidzo chake chaakaita namadzitateguru enyu. Tenzi akakubudisai nesimba guru, akakununurai muuranda hwaFarao mambo weIjipiti. Naizvozvo zivai kuti Tenzi Mwari wenyu ndiye Mwari iyeyo. NdiTenzi akavimbika anochengetedza chitenderano chake, ane mwoyochena kune vanomuda, navanochengeta mitemo yake kusvikira kuzvizvarwa zvavo zvamazana akazanirana. Asi vanomuvenga anovaranga ivo pachavo achivaparadza. Haambozengurira kuparadza vanomuvenga ivavo. Naizvozvo chengetai zvirevo izvi nemitemo nemirao iyoyi yandinokuudzai nhasi uno. “Zvino kana mukanzwa mirao iyoyi, mukaiteerera muchiichengeta, Tenzi Mwari wenyu achachengeta chitenderano chaakaita nemi, acharamba achikuitirai mwoyochena sokutsidzira kwaakaita madzitateguru enyu. Achakudai, achakukomborerai, achakuitai kuti muwande. Achakupai chikomborero chevana vakawanda. Achakupai makomborero emichero yeminda yenyu, neembesanwa dzenyu, neewaini neemafuta neemombe dzakawanda, neezvipfuwo zvizhinji, munyika yaakapika kumadzitateguru enyu kuti azopa imi. Imi ndimi muchakomborerwa kupfuura marudzi ose avanhu. Pakati penyu hapachazovi nomurume asingabereki, kana mukadzi anoshaya mbereko, kana nezvipfuwo zvisingaite vana. Tenzi achakudzivirirai kuzvirwere zvose. Zvirwere zvose zvokuIjipiti zviya zvamakaona haazoiti kuti zvikubatei. Asi achaita kuti zvibate vavengi venyu. Paradzai marudzi ose anoiswa mumaoko enyu naTenzi Mwari wenyu. Musavanzwire tsitsi. Musambonamata vamwari vavo nokuti chichava chinhu chokukuteyai nacho. “Saka usati nechomumwoyo mako, ‘Ndudzi idzi dzine vanhu vakawanda kupfuura isu. Tingavadzinge seiko munyika iyoyi?’ Musavatye, asi rangarirai zvakaitwa naTenzi Mwari wenyu kuna Farao nevaIjipiti vose. Imi nameso enyu, makaona zviedzo zvikuru nezviratidzo nezvishamiso zvakaitwa nesimba guru raTenzi Mwari wenyu paakakuburitsaimo. Ndizvo zvichaitwa naTenzi Mwari wenyu kumarudzi ose amuri kutya. Tenzi Mwari wenyu achavaitisa kuti vaparadzwe savanhu varumwa namago kusvikira vose vanenge vasara vari vapenyu nevanenge vakahwanda vaparadzwa. Musavatye, nokuti Tenzi Mwari wenyu anemi ndiMwari mukuru anotyisa. Tenzi Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzodzo paduku paduku. Hamungavaparadze nenguva nduku nduku nokuti zvikara zvingazokuwandirai. Asi Tenzi Mwari wenyu achaisa vavengi venyu mumaoko menyu achivavhiringidza kusvikira vose vapera kuti nho-o. Achaisa madzimambo avo mumaoko menyu. Imi munofanira kuita kuti mazita avo arove pasi pano. Hakuna nomumwe wavo achakwanisa kumirisana nemi kusvikira mavaparadza. Pisai nomoto zvifananidzo zvokuveza zvavamwari vavo. Musaite ruchiva nesirivha kana nendarama iri pazviri. Musaitore moita yenyu nokuti ingazova chinhu chokukuteyai, Tenzi Mwari wenyu haazvidi. Musaunze chinhu chisingadiwi naMwari mumba menyu, kana mukadaro munotoparadzwa saicho. Chisemei muvengane nacho nokuti chinhu chinenge chakanzi naMwari chiparadzwe. “Ngwarirai kunyatsochengeta mitemo yose yandiri kukupai nhasi uno, kuti murarame, muwande, muzokwanisa kuenda kunyika yakatsidzirwa madzitateguru enyu naTenzi, mundoitora kuti ive yenyu. Rangarira zvose zvawakaona murwendo rwawakatungamirirwa naTenzi Mwari wako nomurenje kwamakore makumi mana, akaitira kuti akuninipise. Akakuedza achida kuona paumire, kuti unochengeta here mitemo yake kana kuti kwete. Akakuninipisa, akaita kuti unzwe nzara. Akakupa mana yokudya, yawakanga usingazivi, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako kuti uzive kuti munhu haararame nechokudya chete, asi anorarama nezvose zvinotaurwa nomuromo waTenzi. Hanzu dzako dzaive dziri pauri hadzina kusakara, tsoka dzako hadzina kuzvimba pamakore makumi mana aya. Chiziva nomumwoyo mako kuti sokurayira kunoitwa munhu mwana wake, ndiko kurayira kunoita naTenzi Mwari wako. Naizvozvo chengeta mitemo yaTenzi Mwari wako, uite zvaanoda, umutye nokuti Tenzi Mwari wako ava kuzokuendesa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura nezvisipiti nezvitubu zvemvura inotubuka ichibva pasi pasi mumapani nomuzvikomo. Nyika yekoroni nebhari nemichero yamagirepisi nemionde nemipomogiraneti. Nyika yemiorivhi namafuta nouchi. Nyika yausingashaye chinhu, mauchadya chingwa usingaiti zvokupara. Simbi ndomabwe enyikayo, mumakomo ayo unozochera mhangura. Uchadya uchiguta, ucharumbidza Tenzi Mwari wako nokuti akakupa nyika yakanaka. “Chenjerera kuti ungadaro ukazokanganwa Tenzi Mwari wako, worega kuchengeta zvirevo nemitemo nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno. Ungazoti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka uchigaramo, kana zvipfuwo zvako zvawanda, wava nesirivha nendarama yakawanda, zvose zvaunazvo zvikange zvawanda, wova nomwoyo wokuzvikudza, wokanganwa Tenzi Mwari wako akakuburitsa muIjipiti muuranda. Ari iye akakutungamirira nomuzigwenga guru rinotyisa, makaoma, musina mvura, mune nyoka dzino uturu, mune marize. Akakubudisira mvura pabwe regwenya. Mugwenga imomo ari iye, akakupa mana yokudya, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako. Aida kukuninipisa nokukuedza kuti pakupedzisira azokuitira zvakanaka. Chenjerera kuti urege kufunga mumwoyo mako woti, ‘Upfumi uhu hwakabva musimba ramaoko angu.’ Naizvozvo unofanira kurangarira Tenzi Mwari wako nokuti ndiye anokupa simba rinokuwanisa upfumi. Anoita izvi kuti achengete chitenderano chaakapika kumadzitateguru ako sezvazviri pari nhasi. Kana zvikazoitika kuti unokanganwa zvako Tenzi Mwari wako wotevera vamwe vamwari uchivashandira nokuvapfugamira, ndinokutsidzirai nhasi kuti muchapera mose kuti dhu. Samaparadziro amuri kuitirwa mamwe marudzi naTenzi, ndokuparadzwa kwamuchaitwawo naTenzi Mwari wenyu, nokuti makaramba kuteerera izwi raTenzi Mwari wenyu. “Teerera unzwe iwe Isiraeri; wava kuzoyambuka Jorodhani nhasi uno, uchindotorera ndudzi huru dzakasimba kupfuura iwe, nyika dzadzo dzina maguta makuru akakomberedzwa nenhungamakore dzetsvingo. Vanhu voko ihofori dzakareba dzorudzi rwevaAnaki vamunoziva, vane mbiri yamakanzwa yokunzi, ‘Ndiani angamirisane navaAnaki?’ Asi chiziva nhasi uno kuti Tenzi Mwari wako ndiye anokutungamirira somoto unororomesa. Achavaparadza achavaisa pasi pako zvokuti uchavadzinga uchibva wavaparadza nokukasika, sokutaurirwa kwawakaitwa naTenzi. “Kana Tenzi Mwari wako akudzingira vanhu ivavo, usazofunga mumwoyo mako woti, ‘Tenzi akandiunza munyika ino kuti ndiitore ive yangu nokuda kwokururama kwemwoyo wangu.’ Asi kutoti Tenzi Mwari wako ari kuvadzinga nokuda kwekuipa kwavo. Hausi kuzondotora nyika yavo uchiita yako pamusana pokururama kwako kana kunaka kwemwoyo wako. Asi Tenzi Mwari wako ari kudzingamo ndudzi idzodzo pamusana pohuipi hwadzo nokuchengeta shoko raakatsidzira madzitateguru ako vana Abhurahamu naIsaki naJakobho. Saka zvizive kuti Tenzi Mwari wako haasi kuzokupa nyika iyi yakanaka nokuda kwekururama kwako nokuti uri rudzi rwetsvuuramuromo. “Yeuka urege kukanganwa kushatirisa kwawakaita Tenzi Mwari wako murenje, kubvira musi wawabuda muIjipiti kusvikira pano, waigara wakapikisana naTenzi. Kunyange paGomo reHorebhu wakashatirisa Tenzi, Tenzi akaratidza kushatirwa kwake akada kukuparadza. Zviya zvandakakwira mugomo kundopiwa mafendefa amabwe, mafendefa echitenderano chandakatemerana nemi, ndakagara mugomo imomo siku nesikati kwamazuva makumi mana. Handina kuisa chinhu kumuromo kana kunwa mvura zvayo. Tenzi ndipo paakandipa mafendefa maviri amabwe akanga akanyorwa noruoko rwake iye Mwari. Pakanga pakanyorwa mitemo yose yakanga yataurwa naTenzi kwamuri pagomo riya, yaakataura ari mukati memoto, pazuva riya romusangano. Mazuva makumi mana akati apera ndiriko, siku nesikati, Tenzi akandipa mafendefa maviri amabwe, mafendefa echitenderano. “Tenzi akanditi, ‘Sumuka ubve pano, ukurumidze kuburuka nokuti vanhu vako vawakaburitsa muIjipiti vaita zvakaipa. Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaudza. Vazviumbira chifananidzo choutare hwakanyungurutswa.’ “Tenzi akataurazve kwandiri achiti, ‘Ndazviona kuti vanhu ava zvechokwadi itsvuuramuromo dzavanhu. Chirega ndivaparadze, nditsakatise zita ravo panyika, ndimutse mauri rudzi rukuru rwakasimba kupinda ivo.’ “Ndopandakazotendeuka ndoburuka mugomo imomo, iro gomo richinganduma moto, ndakabata mafendefa maviri echitenderano mumaoko. Ndakatarisa ndikaona kuti makanga matadzira Tenzi Mwari wenyu. Makanga mazviumbira chimhuru. Makanga matotsauka kare panzira yamakaudzwa naTenzi. Naizvozvo ndakatora mafendefa andakanga ndakabata mumaoko, ndikaapwanyira pasi muchiona. Ndakazoti pasi zvambarara pana Tenzi siku nesikati kwamazuva makumi mana, handina kumboisa chinhu kumuromo kana kunwa mvura zvayo sezvandakamboita pamusana pezvitadzo zvenyu zvamakapara muchiita zvakaipa pana Tenzi zvokumushatirisa, nokuti kukutsamwirai kwakaita Tenzi nokushatirwa kwaakakuitirai panguva iyoyo oda kukuparadzai, kwakandityisa. Asi panguva iyoyowo Tenzi akandinzwa. Tenzi akashatirirwa Aroni zvikuru zvokuda kumuparadza. Asi panguva iyoyo ndakanamatira Aroni. Ndakatora chitadzo chacho, chimhuru chacho ichocho chawakanga waumba, ndikachipisa nomoto, ndikachipwanya-pwanya ndikachikuya kusvikira chaita mupfumbwe. Ndakarasira mupfumbwe wacho mukakova kaibva mugomo imomo. “Makashatirisa Tenzi zvakare paTabhera napaMasa nepaKibhurotihataavha. Tenzi paakakutumai kubva kuKadheshibharinea achiti, ‘Chiendai mundotora nyika yandakakupai kuti ive yenyu,’ imi makasindimara, mukaramba zvakanga zvataurwa naTenzi Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye, kana kuteerera zvaakareva. Kubvira musi wandakakuzivai, makagara makapandukira Tenzi. “Saka ndakazvambarara pana Tenzi siku nesikati kwamazuva makumi mana nokuti Tenzi akanga afunga zvokukuparadzai. Ipapo ndakanamata kuna Tenzi ndichiti, ‘Regai kuparadza nhaka yenyu, vanhu vamakanunura noukuru hwenyu. Makavaburitsa muIjipiti nesimba renyu guru. Rangarirai varanda venyu VaAbhurahamu naIsaki naJakobho. Musaite hanya noumhandupandu hwavanhu ava, kana huipi hwavo, kana nechitadzo chavo,’ nokuti vokunyika kwamakatibvisa vangati, ‘Tenzi akavaburitsa kuti andovaurayira kurenje nokuti akakundikana kuvaendesa kunyika yaakavavimbisa uye aivavenga.’ Vanhu ava inhaka yenyu, vanhu venyu vamakaburitsa noukuru hwenyu nesimba renyu guru. “Panguva iyoyo Tenzi akanditi, ‘Veza mafendefa maviri amabwe akafanana naaye okutanga ukwire nawo muno mugomo kwandiri ugadzire bhokisi ramapuranga. Pamafendefa iwayo ndichanyora zvakanga zvakanyorwa pamafendefa okutanga awakaputsa, ugozoaisa mubhokisi rechitenderano.’ “Naizvozvo ndakagadzira bhokisi racho, ramapuranga omuunga. Ndakavezawo mafendefa maviri amabwe akafanana naaye okutanga, ndokukwira nawo mugomo ndakaabata mumaoko. Sapakutanga, Tenzi akanyora pamafendefa iwayo mitemo gumi yamakanga mataurirwa naTenzi ari pagomo paya paya, ari mukati memoto pazuva riya riya romusangano, Tenzi ndokuapa kwandiri. Ndakatendeuka ndokuburuka mugomo. Sokuudzwa kwandakanga ndaitwa, ndakaisa mafendefa aye mubhokisi riya randakanga ndagadzira, arimo nanhasi uno.” VaIsiraeri vakabva pamatsime avanhu vokwaJaakani ndokundosvika kuMosera. Ndiko kwakafira Aroni akavigwa ikoko, ndokubva Ereazari mwanakomana wake ava mupristi panzvimbo yababa vake. Vakasimudzira rwendo rwavo vakaenda kuGudhigodha. Vakazobva paGudhigodha, vakandosvika kuJotibhata nyika yetukova twemvura. Panguva iyoyo Tenzi akatsaura dzinza raRevhi kuti rive rokutakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, nokumushandira nokukomborera vanhu muzita rake kusvikira nhasi uno. Ndokusaka vedzinza raRevhi vasina kupiwa chikamu chenyika kana nhakawo yavo sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naTenzi Mwari wavo. “Sapakutanga paya ndakagara mugomo siku nesikati kwamazuva makumi mana. Tenzi akandinzwawo panguva iyoyo, ndokubva arega kukuparadzai. Tenzi akanditi chienda utungamirire vanhu kuti vandopinda vatore nyika yandakatsidzira kupa madzitateguru avo.” “Zvino nhai Isiraeri, Tenzi anoda kuti uiteiko? Anoda kuti utye Tenzi Mwari wako, ufambe nomunzira dzake dzose, umude. Ushandire Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose. Uteerere mitemo yaTenzi, nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno, kuti zvikunakirei. Chinzwa, denga kusvikira kwose kwarinoperera chaiko, nenyika nezvose zvirimo, ndezvaTenzi Mwari wako. Asi Tenzi Mwari wako akafadzwa namadzitateguru ako, akavada. Akazosarudza imi vana vavo mukati memarudzi ose avanhu sezvazviri nhasi uno. Saka chibvisai mumwoyo menyu zvose zvoumhandupandu izvi, mukande pasi zvose zvoundambakuudzwa, nokuti Tenzi Mwari wenyu, “NdiMwari wavamwari, ndiMambo wamadzimambo, mukuru ane simba. NdiMwari anotyisa asina rusaruro, anosema zvepfumbamuromo. Nherera nechirikadzi anoona kuti dzaitirwa zvine ruenzaniso. Mutorwa anomuda anomupawo zvokudya nezvokupfeka. “Naizvozvo imi idai mutorwa nokuti makambovawo vatorwa muIjipiti. “Itya Tenzi Mwari wako umushandire, urambe wakati kwati kwati naye, upike nezita rake. Ndiye waunofanira kurumbidza, ndiye Mwari wako akakuitira zvinhu zvikuru zvinokatyamadza zvawakaona iwe nameso ako. “Madzitateguru ako akaenda kuIjipiti vari makumi manomwe avanhu. Asi zvino Tenzi Mwari wako akakuitai kuti muwande senyenyedzi dzedenga.” “Naizvozvo ida Tenzi, Mwari wako, uteerere zvaakatema, uteerere zvirevo zvake, nemitemo yake, nemirao yake misi yose. Nhasi uno, (sezvandisiri kutaura kuvana venyu vasingazvizivi vasina kumbozviona;) imimi munoziva kukudzidzisai kwakaita Tenzi Mwari wenyu, munozivawo ukuru hwake nesimba rake, nezviratidzo zvake, nezvaakaita muIjipiti kuna Farao mambo weIjipiti, nokunyika yake yose; nezvaakaita kuhondo yeIjipiti, nokumabhiza avo nengoro dzavo, nokuyeredza kwaakaita hondo yaikuteverai nemvura yeGungwa Dzvuku, namaparadziro avakaitwa naTenzi kusvikira pari nhasi. Munozivawo zvaakakuitirai murenje musati masvika pano, nezviya zvakaitwa pakati pavaIsiraeri kuna Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu, wedzinza raRubheni. Munozivawo mubamukiro wakaita nyika, ikashama muromo wayo, ikavamedza ivo nemhuri dzavo, namatendhe avo, nezvipfuwo zvavo zvose zvavaiva nazvo. Imi makazvionera nameso enyu basa guru rose rakaitwa naTenzi. “Teererai mitemo yose yandiri kukupai nhasi uno kuti muwane simba mupinde mundotora nyika yamava kuyambukira kwairi kuti muiite yenyu, uye ndokuti murarame kwenguva ndefu munyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru enyu navana vavo, nyika yakanaka yomukaka nouchi. Ndinodaro nokuti nyika yauri kuenda kundotora haina kufanana nenyika yeIjipiti kwamakabva, kwete, kwamaidyara mbeu muchiita zvokudiridza namaoko sebindu romuriwo. Asi nyika yamava kuyambukira kundotora kuita yenyu, inyika yezvikomo namapani, inonyoroveswa nemvura inoita zvokunaya mudenga, inyika inonyatsochengetwa naTenzi, ziso rake haribvi pairi kubvira pakutanga kwegore kusvikira pakupera kwaro. “Kana machengeta mitemo yandiri kukupai nhasi uno, mukada Tenzi Mwari wenyu, nokumushandira nomwoyo wose, nomweya wenyu wose, achakunayisirai mvura yomunhuruka neyematsutso nemwaka wayo chaiwo munyika yenyu, kuti unyatsokohwa mbesanwa dzako, newaini yako namafuta. Achameresa uswa mumafuro ezvipfuwo zvako. Uchawana zvokudya zvakakwana. Chenjerera kuti ungadaro ukazozvifurira mumwoyo mako, wozvirasisa nzira yako, woshandira vamwe vamwari, wovanamata. Ukadaro unozvinyandurira hasha dzaTenzi, achapfiga matenga, mvura yorega kunaya, nyika yoshaya kana chainobereka, mobva maparadzwa pasina nenguva yose munyika yakanaka yamunopiwa naTenzi. “Naizvozvo pfundirai mazwi angu aya, mumwoyo menyu nomumweya wenyu, muasungirire paruoko rwenyu chive chiratidzo, muasungirirewo pahuma dzenyu netsungare. Adzidzisei vana venyu. Taura nezvawo ugere mumba yako, napaunenge uchifamba munzira, napaunenge uvete, napaunomuka. Anyore pamagwatidziro epamba yako napamisuo yako mikuru, kuitira kuti imi navana venyu murarame mazuva akawanda munyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru enyu nokusingaperi. “Mukanyatsoteerera mitemo yose iyi yandiri kukupai, mukaichengeta, mukada Tenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake, nokuramba makangoti kwati kwati naye, Tenzi achakudzingirai ndudzi dzose idzi munyika dzadzo kuti imi muzotonga ndudzi huru dzakasimba kupinda imi. Pose pachatsika rutsoka rwenyu pachava penyu. Muganho wenyu uchabvira kurenje kundosvika kuGomo reRebhanoni, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi kundosvika kugungwa rokumadokero. Hapana achagona kumirisana nemi, Tenzi achapa kuti kwose kwamuchasvika vanhu voko vachadedera nokukutyai sokutaura kwaakaita. “Teerera unzwe, nhasi uno ndakuisira zvokusarudza, chikomborero kana rushambwa. Unowana chikomborero kana ukateerera mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno. Asi unowana rushambwa kana ukasateerera mitemo yaTenzi Mwari wako wotsauka panzira yandiri kukuudza nhasi uno, wotevera vamwe vamwari vausina kumboziva. Kana Tenzi Mwari wako azokusvitsa munyika yawava kundoita yako, unofanira kupa chikomborero uri paGomo reGerizimu, worengerera uchishurikidza rushambwa uri paGomo reEbhari.” Inga wani makomo iwayo ari munyika yevaKanani vanogara kuArabha, kwakatarisana neGirigari, kumhiri kwaJorodhani kumadokero munyasi momuti womuoku weMore. “Zvino mava kuyambuka Jorodhani, kundotora nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu, kana maitora maiita yenyu magara mairi, chenjererai kuchengeta mirao nezvirevo zvose zvandiri kuisa pamberi penyu nhasi uno. “Iyi ndiyo mirao nezvirevo zvamunofanira kungwarira kuchengeta, mazuva ose oupenyu hwenyu pasi pano, munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wamadzitateguru ako. Ndudzi dzamuri kundotorera nyika yadzo dzine nzvimbo dzadzinonamatira vamwari vadzo dziri mumakomo marefu nomuzvikomo nomunyasi momuti wose wakasvibira mashizha. Nzvimbo idzodzo dzose dziparadzei zvokuparadza zviya. Pazai atari dzavo, muputswe-putswe shongwe dzavo dzamabwe akamiswa, muroromese nomoto zvifananidzo zvakavezwa zvinomiririra mwari wavo Ashera, muteme-teme vamwari vavo vakavezwa, murovese zvachose mazita avo panzvimbo idzodzo. “Zvakadaro izvozvo, musazviite kuna Tenzi Mwari wenyu. Asi muchandonamata Tenzi Mwari wenyu kunzvimbo imwechete yaachasarudza pakati pamadzinza enyu ose, kuisa zita rake achiita musha wake, ndokwamuchaenda ikoko. Ikoko ndiko kwamuchaunza mipiro yokupisa, nezvibayiro nemipiro yezvegumi, nezvimwe zvipo zvamunopira, nemipiro yezvamunenge makambotsidzira, nemipiro yokupa nokuda kwenyu, nemipiro yamatangwe emombe neezvimwe zvipfuwo zvenyu. Ipapo pana Tenzi Mwari wenyu ndipo pamuchadyira, muchifara, imi nemhuri dzenyu pane zvose zvamunoita nesimba ramaoko enyu nokuti Tenzi Mwari wenyu akakukomborerai. “Regai kuzoita maitiro atiri kuita pano aya okuti munhu anoita napaanofunga kuti ndipo pakanaka. Iye zvino hamusati masvika zvenyu kwamuchanyatsogara, kunyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu. Asi kana mazoyambuka Jorodhani magara munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive yenyu, akuzorodzai kuvavengi venyu vose, mava norugare, munofanira kuunza zvose zvandiri kukurayirai kunzvimbo imwechete ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu kuisa zita rake pairi. Ndiko kwamuchaunza mipiro yokupisa nezvibayiro nemipiro yezvegumi nezvimwe zvipo zvamunopira, nemipiro yamunenge makambotsidzira kupa kuna Tenzi. Muchafara muriko pana Tenzi Mwari wenyu, imi navana venyu, vakomana navasikana, navaranda venyu, vechikadzi nevechirume, nevaRevhi vagere mumaguta enyu zvavasina kupiwa nhaka pakati penyu. Chenjerera kuti urege kungopira panzvimbo pose pose paunenge wangoda mipiro yako yokupisa. Asi pira panzvimbo imwechete inenge yasarudzwa naTenzi munyika yerimwe dzinza renyu. Ikoko ndiko kwaunofanira kupira mipiro yokupisa nokuita zvose zvandiri kukuudza. “Asi baya zvako nyama udyire chero muguta rako ripi zvaro sokuda kwako, sokukomborerwa kwaunenge waitwa naTenzi Mwari wako. Inogona kudyiwa zvayo nomunhu anenge an'ora neasina kun'ora sezvamunongoitawo nemhara nemhembwe. Asi ropa rayo ndiro bedzi ramusingabvumirwi kudya, riregei rirasikire pasi semvura. “Rega kudyira mumaguta ako mipiro yezvegumi kana yembesanwa kana yewaini, kana yamafuta, kana yamatangwe emombe neezvimwe zvipfuwo zvako kana mupiro zvawo wako wezvawakambotsidzira Mwari kana mipiro yokupa nokuda kwako, kunyange zvimwe zvipo zvaunopira. Asi zvidyire pana Tenzi Mwari wako, iwe navana vako vakomana navasikana, navaranda vako vechikadzi nevechirume nevaRevhi vanenge vagere mumaguta ako, mufare muchipembera nebasa ramaoko enyu. Usazorega kuva nehanya nevaRevhi nguva dzose dzaunogara munyika iyoyo. “Kana Tenzi Mwari wako achinge azokudza-kudza nyika yaari kukupa sokukuvimbisa kwaakaita, ukazoti, ‘Ndava kuda nyama,’ wava nenhomba yenyama, idya zvako nyama yaunoda. Kana nzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako kuti zita rake rinamatirwe ipapo iri kure newe, ungabaye zvako mombe kana chimwe chipfuwo chako chawakapiwa naTenzi, asi zviite sokurayira kwandakakuita. Idye hako napaunodira mumaguta ako. Samadyiro anoitwa mhara kana anenge mhembwe, ndiwo madyiro aunoiita. Munhu wose anobvumirwa kuidya zvake, anenge an'ora kana asina. Asi chenjerera chete kuti urege kudya ropa nokuti ropa ndohupenyu nezvo usadye upenyu pamwechete nenyama yacho. Rega kudya ropa, asi rirege rirasikire pasi semvura. Usaridye kuti zvose zvikunakire iwe nezvizvarwa zvako nokuti unenge uchiita zvinofadza Tenzi. Asi zvinhu zvaunenge watsaurira kuturira Mwari, nezvawakatsidzira kupa kuna Mwari, tora uende nazvo kunzvimbo ichazosarudzwa naTenzi. Ikoko ndiko kwaunopira mipiro iya yokupisa chibayiro chose zvacho, ropa nenyama yacho zvichiiswa paatari yaTenzi Mwari wako. Asi kana zviri zvimwe zvibayiro, ropa dururira paatari yaTenzi Mwari wako, nyama yacho uchidya zvako. Nyatsoteerera mitemo yandiri kukupa kuti zvizokunakira iwe nezvizvarwa zvako nokusingaperi nokuti unenge uchiita zvakanaka, zvinofadza Tenzi Mwari wako. “Kana Tenzi Mwari wako aparadza achikudzingira ndudzi munyika yauri kundotora kuita yako, wagara mairi, chenjerera kuti urege kuteyiwa woda kudzitevedzera. Rega kufeya-feya uchiti, ‘Ko ndudzi idzodzi dzainamata sei vamwari vadzo kuti ndiiteo zvimwechetezvo?’ Usaite zvakadaro kuna Tenzi Mwari wako nokuti ivo vanoita kuna vamwari vavo zvisingadiwi naTenzi, nezvaanovenga. Vanotopisa mumoto kunyange vana vavo vakomana navasikana vachivapira kuna vamwari vavo. “Nyatsochengeta zvose zvandiri kukuudza, usambowedzera kana kutapudza chinhu. “Ngatitii pakati penyu pomuka muporofita kana muroti wehope, anofanokuudzai nechiratidzo nenenji, achifembera zvichazoitika, zvichizoitika, asi achizoti ngatinamate vamwe vamwari vausingambozivi, tivashandire. Rega kuteerera zvinotaurwa nomuporofita iyeyo kana muroti wehope iyeyo nokuti Tenzi Mwari wako anenge achitokuedza zvake achida kuona kuti unoda Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose here. Tenzi Mwari wenyu ndiye wamunofanira kutevera, ndiye wamunofanira kuremekedza. Mitemo yake ndiyo yamunofanira kuchengeta. Teererai izwi rake, mumushandire, murambe makati kwati naye. Asi muporofita iyeyo kana muroti wehope iyeyo ngaaurayiwe, nokuti akafurira vanhu kupandukira Tenzi Mwari wenyu akakuburitsai kuIjipiti, akakununurai muuranda, achikutsautsa munzira yawakanzi naTenzi Mwari wako utevere naizvozvo unobva waita kuti huipi hwakadai hupere pakati penyu. “Zvingaitike kuti ungafurirwewo nomukoma kana munun'una wako womumba, kana nomwanasikana wako, kana nomudzimai wako, muswerawakaringa chaiye, kana sahwira, shamwari yako yepamwoyo, ingakutaurire muchivande kuti, ‘Handei tindoshandira vamwe vamwari,’ vasingambozikanwa newe kana madzitateguru ako, vangave vamwe vamwari vendudzi dzavanhu vagere munharaunda yenyu kana vari chinhambwe, kusvikira kwakaperera nyika, usabvume kana kuteerera zvaanoreva. Rega kumunzwira tsitsi. Usamurege ari mupenyu. Usamuhwandise uchimunzvengesa kuvanhu. Asi iwe muuraye chete! Pakumuuraya iwe noruoko rwako ndiwe unotanga kwozotevera vamwe vose. Muteme namabwe afe nokuti aida kukutsautsa pana Tenzi Mwari wako akakuburitsa munyika yeIjipiti, muuranda. VaIsiraeri vachazvinzwa vachatya, vakarega kuzoitazve chinhu chakaipa chikadaro pakati penyu. “Zvingaitikewo kuti unganzwe kuti mune rimwe guta renyu ramuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu rokugara mamuka vamwe vanhu vasina maturo vari kukwezvera vanhu vemo kusiriko vachiti, ‘Handei tindoshandira vamwe vamwari,’ vausingambozivi. Nyatsotsvakiridzai mufeye-feye nokunyatsobvunzisisa nyaya iyoyo. Kana zvikaonekwa kuti ichokwadi, kuti chinhu chakaipa chikadaro chakaitika pakati pavo, paradzai namapakatwa vanhu vagere muguta iroro zvokuparadza zviya. Munyatsoriparadzawo nezvose zvirimo pamwechete nezvipfuwo zvaimomo. Zvinhu zvose zvamunowana zvirimo zvitutirei panhandare yomo yakakura muroromese guta iroro nomoto nezvinhu zvaro zvose, Tenzi Mwari wenyu azvione. Riregei rive dongo rakati murwi tuku risina anozorivaka zvakare. Zvinhu izvozvo zvose zvinenge zvanzi zviparadzwe, usazombobata zvako kunyange chimwe chazvo kuti upodze hasha dzaTenzi, dzinotyisa, akunzwirei nyasha akuitirei tsitsi aite kuti muwande sokutsidzira kwaakaita kumadzitateguru ako. Ndokunge wateerera izwi raTenzi Mwari wako uchichengeta mitemo yake yandiri kukuudza nhasi uno, kuti uite zvinofadza Tenzi Mwari wako. “Imi muri vana vaTenzi Mwari wenyu. Musazvicheke-cheke kana kuzviveura vhudzi rapahuma dzenyu pamunenge mafirwa. Ndinodaro nokuti muri rudzi rwavanhu vatsvene vakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Tenzi akakusarudza pakati pemarudzi ose epasi pano pose akati muve vanhu vake pachake. “Usadye chinhu chinosemesa Mwari. Mhuka dzamungadye ndedzidzi: mombe nehwai nembudzi nenondo nemhara nemhembwe nembudzi dzomusango nemharapara nengururu. Mukati memhuka yose ine zondo rakapararana richiita mativi maviri, iriwo mhuka inozeya, ndiyo yamungadye zvenyu. Musadye dzose dzinozeya asi dziine zondo risina kupararana kana kuti dzine zondo rakapararana asi dzisingazeyi. Musadye nghamera netsuro nembira nokuti kunyange dzichizeya zvadzo, zondo radzo harina kupararana, dzinokun'oresai. Musadye nguruve nokuti kunyange zvadzo dziine zondo rakapararana hadzizeyi, dzakan'ora kwamuri. Musadye nyama yadzo kana kubata zvitunha zvadzo. “Pane zvomumvura zvamungadye ndezvizvi zvinoti: zvine zvimbi nezvina makwande. Asi musadye chose chisina zvimbi namakwande, chakan'ora kwamuri. “Shiri dzose dzisina kun'ora mungadye zvenyu. Asi idzi ndidzo shiri dzausingabvumirwi kudya dzinoti; gondo negora nechapungu norukodzi nenjerere namarudzi ayo nemhando dzose dzamakunguo nemhou nedahwa neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu napotono nezizi guru nenhapata nedhadha romusango, nehungwe nekanyurira neshuramurove namarudzi ose ezimudo nemhupupu nomuremwaremwa. “Zvipembenene zvine mapapiro, zvose zvazvo zvakan'ora kwamuri, hazvidyiwe. Idyai zvenyu zvose zvine mapapiro zvisina kun'ora. “Musadye mhuka inenge yafa yoga, ipe zvako mutorwa waugere naye adye hake, kana kuitengesera mubvakure nokuti imi muri rudzi rwavanhu rutsvene rwakatsaurirwa Tenzi Mwari wenyu. Musabike mbudzana mumukaka wamai vayo. “Unosungirwa kubvisa chegumi pambesanwa dzaunokohwa mumunda mako gore negore, uchindozvidyira pana Tenzi Mwari wako, panzvimbo yaachasarudza kuisa zita rake. Ipapo ndipo pauchadyira chegumi chembesanwa dzako nechewaini yako nechemafuta ako eorivhi, pamwechete nematangwe emombe dzako nezvimwe zvipfuwo zvako, kuitira kuti udzidze kuremekedza Tenzi Mwari wako nguva dzose. Kana nzvimbo iyoyo ichinge iri kure nomusha wako zvokuti haugoni kutakura zvegumi zvawakakomborerwa nazvo naTenzi Mwari wako uchienda nazvo ikoko zvaungaite ndezvizvi: Tengesa zvegumi izvozvo, mari yacho uende nayo kunzvimbo imwechete ichasarudzwa naTenzi Mwari wako, uzondotenga zvose zvaunoda, mombe kana hwai kana waini kana doro rinodhaka, chero chaunoda zvako udyire pana Tenzi Mwari wako iwe nemhuri yako mupembere muchifara. “Usazorega kuva nehanya nevaRevhi vaugere navo mumaguta enyu, sezvovasina kupiwa mugove kana nhaka pakati penyu. “Panenge pangopera makore matatu, unganidzai mumaguta enyu chegumi chezvamakawana gore iroro. VaRevhi sezvo vasina mugove kana nhaka pakati penyu saka ivo pamwechete navatorwa nenherera nechirikadzi dzigere mumaguta enyu vangauye zvavo kuzodya vachiguta, kuti Tenzi Mwari wenyu akukomborerei pabasa ramunobata namaoko enyu. “Pose panongoti perei gore rechinomwe usareve chikwereti. Zvamuchaita ndezvizvi: munhu wose anenge akakweretesa mumwe wake chinhu ngaarege kuchireva. Ngaarege kuchibvunza kuhama yake kana kuno mumwe muIsiraeri nokuti zvakataurwa naTenzi zviya zvokusazoreva chikwereti zvinenge zvatovapo. Ungareve zvako chikwereti kumutorwa, asi rega kuchireva kune mumwe wako muIsiraeri. “Hapachazovi nomurombo pakati penyu nokuti Tenzi achanyatsokukomborerai munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu. Ndokunge wanyatsoteerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, uchingwarirawo kuchengeta mitemo yose yandinokupa nhasi uno. Chandinodariro ndechichi chokuti, Tenzi Mwari wako achakukomborerai sokukutsidzirai kwaakaita. Muchakweretesa dzimwe ndudzi dzavanhu zhinji, asi imi musingambokwereti. Imi muchatonga ndudzi dzavanhu zhinji, asi idzo hadzizokutongii. “Kana pakati penyu pane murombo ari hama yako muIsiraeri muguta renyu ripi zvaro munyika yenyu yamunopiwa naTenzi Mwari wenyu musaomesere mwoyo, kana kutadza kutambanudzira ruoko muchipawo hama yenyu murombo iyeyo. Asi muitire tsiyenyoro ugomupa chikwereti chinokwanirana nechose chaanenge achida chacho. Chenjerera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako uchiti, ‘Zvino gore rechinomwe, gore rokusazoreva chikwereti hero rosvika,’ woomesera mwoyo hama yako murombo uchimunyima. Achachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri. Mupe zvako wakasununguka usinganyunyuti mumwoyo mako pakumupa kwaunoita nokuti Tenzi Mwari wako anozokukomborera pabasa rako rose nezvose zvaunoti ndoita. Varombo havazomboperi munyika, naizvozvo ndinokuudza kuti uve noruoko rwakatambanuka runopa hama yako, murombo naasina chokubata ari munyika yenyu. “Kana watengeserwa hama yako, muHebheru, murume kana mukadzi ngaakushandire kwamakore matanhatu. Kana gore rechinomwe rasvika murege abve kwauri aende zvake murusununguko. Paunomurega achibva kwauri achienda zvake murusununguko, usamurege achienda asina chokubata. Mupewo dzimwe mbudzi dzako nehwai dzako nembesanwa dzako neimwe waini yako, usingaite kanyimiramundiro. Mupe maererano nokukomborerwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. Rangarira kuti wakanga uri muranda kuIjipiti, ukazonunurwa naTenzi Mwari wako, saka ndichikuudza mutemo iwoyu nhasi uno. “Asi kana muranda wako akati, ‘Handidi zvangu kusiyana nemi,’ achidaro nokuti anofarira iwe nemhuri yako achigarawo newe zvakanaka zvichimunakirawo kugara newe, pakadaro apo tora mutsunda, uboorere nzeve yake pagonhi, anobva ava muranda wako narini, kana ari muranda wechikadzi itawo saizvozvo kwaari. Paunopa rusununguko muranda wako kuti aende zvake, ngachirege kuva chinhu chakakuomera nokuti basa raakakuitira kwamakore matanhatu rinopfuura basa rinoitwa nomushandi anotambiriswa mari rwakapetwa ruviri. Pakadaro Tenzi Mwari wako achakukomborera kakapetwa ruviri pane zvose zvaunoita. “Matangwe ose emombe dzako neezvimwe zvipfuwo zvako anenge ari mikono, atsaurire Tenzi Mwari wako. Usaitise basa matangwe emombe kana kuveura makushe amatangwe ezvimwe zvipfuwo zvako. Gore negore enda nemhuri yako undoadyira kuna Tenzi Mwari wako panzvimbo yaanenge asarudza. Asi kana chipfuwo ichocho chine chinoshoreka pachiri, sezvakaita kuremara kana kupofomara kana chimwe chakaipa zvikuru, usachiite chibayiro kuna Tenzi Mwari wako. Chidyirei zvenyu mumaguta enyu. Munhu wose angachidye zvake, anenge an'ora kana asina, semadyiro anoitwa mhara kana mhembwe. Asi ropa racho ndiro chete ramusingadye riregei rirasikire pasi semvura. “Rangarira mwedzi waAbhibhi ugoita Mabiko ePasika yaTenzi Mwari wako nokuti mumwedzi waAbhibhi Tenzi Mwari wako akakuburitsa muIjipiti nousiku. Unofanira kupira chibayiro chePasika kuna Tenzi Mwari wako chichibva mumatanga ezvimwe zvipfuwo kana emombe dzako undopira panzvimbo yaachasarudza kuti aise zita rake. Mabiko acho usaadye nechingwa chine mbiriso. Pedza mazuva manomwe uchiadya nechingwa chisina mbiriso, chingwa chomunhamo, kuitira kuti muupenyu hwako hwose urangarire zuva rawakabuda muIjipiti uchiita zvechimbichimbi kutiza. Mumazuva manomwe iwayo ngakurege kuva nomunhu anoonekwa aine mbiriso munyika yenyu yose. Nyamawo yechibayiro chamunopira manheru ezuva rokutanga ngairege kusvika mangwana ichiripo. “Pamaguta ose aunopiwa naTenzi Mwari wako, haubvumirwi kupira chibayiro chePasika muguta rose rose zvaro, asi panzvimbo ichasarudzwa naiye Tenzi Mwari wako kuti aise zita rake. Ipapo ndipo pauchapira chibayiro chePasika manheru zuva rovira, panguva yawakabuda muIjipiti. Nyama yacho bikira nokuidyira panzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako. Mangwanani acho wofumodzokera zvako kwauri kugara. Unofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe unganidzanai pana Tenzi Mwari wenyu muite musangano mukuru. Regai kuita basa musi iwoyo. “Unofanira kuverenga mavhiki manomwe, utange kuaverenga kubvira panguva yaunotanga kusimudzira jeko kucheka mbesa dzako mumunda, wozoitira Tenzi Mwari wako zuva guru rokupemberera kukohwa wakabata chipo chomupiro wokupa nokuda kwako waunopa maererano nokukomborerwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. Pembera uchifara pana Tenzi Mwari wako panzvimbo yaakasarudza kuisa zita rake iwe navana vako vakomana navasikana, nomuranda wako wechikadzi newechirume nomuRevhi agere muguta rako, nomutorwa nenherera nechirikadzi vari pakati penyu. Rangarira kuti waiva muranda muIjipiti, saka chenjerera kuchengeta mirao iyoyi. “Munofanira kuchengeta Mazuva Makuru aMatumba kwamazuva manomwe mapedza kupura nokusvina magirepisi enyu. Pembera uchifara pamazuva ako iwayo, iwe navanakomana vako navanasikana vako navaranda vako vechikadzi nevechirume pamwechete navaRevhi nenherera nechirikadzi vari mumaguta enyu. Mazuva manomwe ngaaperere mukupemberera Tenzi Mwari wako muri panzvimbo yaachasarudza nokuti Tenzi Mwari wako achakukomborera pane zvaunokohwa zvose nebasa rose ramaoko ako, mugonyatsofara zvenyu. “Vanhu venyu vose vechirume vanofanira kuuya kuna Tenzi Mwari wenyu katatu pagore, kunzvimbo yaachasarudza. Ngavauye paMazuva eChingwa Chisina Mbiriso, napaMazuva Makuru aMavhiki oKupemberera Kukohwa napaMazuva Makuru aMatumba. Hapana anouya akangobata maoko chete. Munhu wese anofanira kupa sokugona kwake maererano nokukomborerwa kwaakaitwa naTenzi Mwari wako kwaanenge akupa. “Unofanira kusarudza vatongi namakurukota mumaguta ako ose aunopiwa naTenzi Mwari wako mudzinza nedzinza. Ngavaite ruenzaniso pakutonga kwavanoita vanhu. Usatsaudzire pakutonga. Rega kunyara maziso avanhu. Usagamuchire pfumbamuromo nokuti pfumbamuromo inodzimaidza munhu ane ungwaru, inopa kuti munhu akarurama ataure zvake zvisizvo. Saka ruenzaniso, ruenzaniso chete ndirwo rwaunosungirwa kutevedza kuitira kuti urarame ugogara nhaka yenyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. “Rega kudzika chimuti chinomiririra Ashera pedyo neatari yaTenzi Mwari wako. Regawo kumisa chero chimufananidzo zvacho chisingadiwi naTenzi Mwari wako. “Usape Tenzi Mwari wako chibayiro chemombe kana chehwai ine chimwe chinoshoreka pairi kana ine chimwe chakaremara nokuti zvakadaro izvo zvinhu zvisingambodiwa naTenzi Mwari wako. “Zvingaitike kuti unganzwe kuti pakati penyu, mune rimwe guta renyu ramuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu mune mumwe murume kana mukadzi anoita chinhu chakaipa pana Tenzi Mwari wenyu achityora chitenderano chaMwari. Munhu iyeyo akandoshandira vamwe vamwari achivapfugamira zvandisina kumboti muite, vamwari vacho vangava zuva kana mwedzi kana nyenyedzi dzegwara ravatonga, kana zvabuda pachena, wazvinzwa, nyatsozvitsvakiridzawo ukachiona chiri chokwadi chaichoicho kuti chinhu chakaipa chikadai chakaitika muIsiraeri, murume kana mukadzi iyeyo akaita chinhu chakaipa chikadai ngaaendwe naye kusuo renyu guru. Murume kana mukadzi iyeyo akaita chinhu chakaipa chikadai ngaaendwe naye kusuo renyu guru. Murume wacho kana mukadzi wacho ngaatemwe namatombo afe. Munhu anenge achifanira kufa angaurayiwe chete kana paine umboo hwezvapupu zviviri kana zvitatu. Munhu haaurayiwe kana pachingova nechapupu chimwechete. Zvapupu, namaoko azvo, ndizvo zvinotanga kumutema pakumuuraya, kwozoteverawo vamwe vose. Naizvozvo munobva maita kuti huipi hwakadai hupere pakati penyu. “Mumaguta enyu mungangoparwa mhosva pakati penyu dzamunenge musingakwanisi kunyatsopatsanura, ingave mhosva yokuti akaponda munhu here kana kuti akamuuraya mukusaziva, kana kuti imwe mhosva inodarika mutemo uyu kana uyu, kana kuti kukuvadzwa kwakaitwa munhu kwakaitwa sei, kana kuti ndiani ane mhosva kana asina, pakadaro endai kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu kuvapristi, vechiRevhi nokumutongi anenge ariko mazuva iwayo, muvasumire nyaya iyoyo vachatema chirango kana kukutaurirai kuti pane mhosva here kana kuti hapana. Zvose zvinotemwa kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu munosungirwa kuzviita nomazvo. Munyatsoita zvose zvavanenge vakutaurirai nomazvo. Tevedzai zvavanokurongerai nomazvo, muite zvavanenge vati muite musingatsaudzire moita zvomusoro wenyu. Munhu anenge azvitutumadza asingateerere mupristi anenge ari ipapo pabasa raTenzi Mwari wako kana kuteerera mutongi, munhu iyeyo ngaafe naizvozvo unobva wabvisa huipi hwakadai muIsiraeri. Vanhu vose vachazvinzwa vakatya vakarega kuzozvitutumadzazve. “Kana uchinge wazosvika munyika yaunopiwa naTenzi Mwari wako waitora wagarikana ukazoti, ‘Regai tichigadza mambo wedu anotitonga sezvakaita mamwe marudzi ari munharaunda yedu,’ gadzai zvenyu umambo munhu anenge asarudzwa naTenzi Mwari wako. Gadzai umambo munhu worudzi rwenyu. Musagadze mutorwa, munhu asiri worudzi rwenyu kuti akutongei. Asi chete ngaarege kuwanza mabhiza ake, kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotsvaka mamwe mabhiza okuwedzera sezvo Tenzi akakutii, ‘Musazodzokerazve nokwakareko.’ Ngaarege kuva navakadzi vazhinji nokuti vangazomurasisa. Ngaarege kuita matutu matutu emari yesirivha kana ndarama. Paanenge agadzwa umambo munyika yake, ngaazvinyorere bhuku romutemo kubva mubhuku rawo rinochengetwa navapristi vechiRevhi, agare naro, ariverenge mazuva ose oupenyu hwake. Ndizvo zvinozoita kuti adzidze kutya Tenzi Mwari wake, achengete zvinorehwa nomutemo uyu nemirao iyi azviite. Saka haazozvikudza pakati pehama dzake, otsauka pamutemo oita zvomusoro wake. Saizvozvo anozogara upenyu hwakareba munyika yaanotonga, iye navana vake, muIsiraeri. “Vapristi vechiRevhi vose zvavo vedzinza raRevhi havafaniri kuva nomugove kana nhaka yenyika pakati pevaIsiraeri. Chokudya chavo chinobva pamipiro inoita zvokupiswa kuna Tenzi nezvimwe zvaanopirwa. Ngavarege kuva nenhaka yenyika pakati pehama dzavo, Tenzi ndiye nhaka yavo sezvaakavatsidzira. “Izvi ndizvo zvinofanira kupiwa vapristi zvichibva pane zvinopirwa navanhu ingave iri mombe kana hwai, ngavape mupristi bandauko neshaya mbiri nenyama yamakuru. Mupe mbesa dzako dzokutanga, newaini yako yokutanga, namafuta ako eorivhi aunotanga kusvina, nemvere dzehwai dzako dzaunotanga kuveura. Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wako akasarudza iye navana vake pamadzinza enyu ose kuti vamiririre Tenzi vachishanda muzita rake. “Kana muRevhi achida zvake angabve mune rimwe guta reIsiraeri yose maagere, achiuya kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako. Ipapo angashande zvake muzita raTenzi Mwari wake sezvinoita vamwe vake vaRevhi vanomiririra pana Tenzi vachishandapo. Pane zvokudya ngavapiwe migove yakaenzana tisingataure zvavanowana panotengeswa zvinhu zvenhaka dzamadzibaba avo. “Kana wazosvika munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako rega kutevedzera tsika dzinosemesa dzinoitwa namarudzi avanhu ivavo. Pakati penyu ngaparege kuva nomunhu anopisa mumoto mwana wake, mukomana kana musikana somupiro. Hapafanire kuva nomunhu anoshopera, kana anofembera nemaminimini, kana anoita un'anga hwokududzira mashura, kana munhu akaromba mishonga, kana anoita mapipi, kana kuva svikiro, kana ane shave rouroyi, kana anobvunzira kumidzimu nokuti Tenzi haambodi zvake ani naani anoita zvakaipa zvakadai. Pamusana pezviito zvinosemesa izvozvi Tenzi Mwari wenyu ari kufanokudzingirai marudzi avanhu iwayo. Saka imi rambai muri pachokwadi muchitevera Tenzi Mwari wenyu musina chinongo. “Ndinodaro nokuti ndudzi dzavanhu dzamuri kuzodzinga munyika dzadzo dzinovimba navanofembera vachiita zvemaminimini nevanoshopera, asi imi Tenzi Mwari wenyu haakubvumidzei kuita izvozvo. Tenzi Mwari wenyu achakumutsirai muporofita akaita seni achibva mukati menyu, hama yenyu chaiyo, iyeyo ndiye wacho wokuteerera. “Handiti musi uya, takaungana paGomo reSinai makakumbira Tenzi Mwari wenyu muchiti, ‘Dai waro tachirega zvedu kunge tichanzwa Tenzi achitaura, kana kuramba tichiona zimoto iri nokuti tingafe.’ Tenzi ndokunditi, ‘Zvavataura zvose izvi zvakanaka. Ndichavamutsira muporofita akaita sewe achibva mavari paukama hwavo. Ndichamupa mashoko angu. Achavataurira zvose zvandinoti avaudze. Munhu asingateerere mashoko angu aachataura anozviona neni. Asi muporofita anotaura mashoko muzita rangu, ini ndisina kumutuma kana anotaura mashoko muzita ravamwe vamwari, muporofita iyeyo anofanira kufa.’ Mungadaro mukazvibvunza mumwoyo menyu kuti, ‘Tingazoziva sei shoko rinenge risina kunge rataurwa naTenzi?’ Kana muporofita akataura chinhu muzita raTenzi, chinhu chacho chikarega kuzoitika kana kuzovapo, ndicho chinhu chinenge chisina kutaurwa naTenzi. Muporofita iyeyo anenge akangotaura zvomusoro wake, regai kumutya. “Kana Tenzi Mwari wako akudzingira marudzi ane nyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako, ukange wavatorera nyika wogara mumaguta avo nomudzimba dzavo, munofanira kuzvitsaurira maguta matatu munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive yenyu. Ganhurai nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu muzvikamu zvitatu, mugadzire nzira dzinoenda kumaguta acho kuitira kuti munhu anenge auraya mumwe atizire kundopoterako. Iwoyu ndiwo murao wokuti munhu anenge auraya mumwe mukusaziva pasina ruvengo akange atizirako apunyuke rufu. Zvingaitike kuti munhu oenda musango kundotema miti aine mumwe wake, poti achitema muti kudaro, demo rake roguka rotema mumwe wake obva afa. Nyakuuraya mumwe ngaatizire kune rimwe ramaguta iwayo kundopoterako apunyuke rufu. Kana kokutizira kukaita kure, mutsivi weropa rehama angadaro akamuronda akamubata panzira, nehasha dzaanenge anadzo akamuuraya iye asingakodzere kuurayiwa nokuti anga asingavenge mumwe wake. Ndokusaka ndichikutii munofanira kuzvitsaurira maguta matatu. “Kana Tenzi Mwari wako azokudza-kudza nyika sokutsidza kwaakaitira madzitateguru ako achikupa nyika yose yaakati achavapa ndokungewoka watochengeta mitemo iyoyi yose yandiri kukuudza nhasi uno uchida Tenzi Mwari wako, uchifamba munzira dzake dzose nguva dzose. Ipapo ndopaunofanira kunge wowedzera mamwe maguta matatu pamatatu aye aye nokuti ropa risina mhaka ringangoteurwa mukati menyika yenyu yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu mukazova nemhosva yokudeura ropa. “Asi kana munhu achivenga mumwe wake akamuhwandira akamurwisa akamukuvadza zvakaipisisa akafa, nyakumuuraya akatizira kune rimwe ramaguta aya, vakuru vakuru vomuguta rake ngavatume vanhu kundomutora ikoko vamuise mumaoko meanofanira kutsiva ropa rehama yake kuti aurayiwe. Rega kumuitira tsiyenyoro asi bvisa mhosva yeropa risina mhaka muIsiraeri kuti zvikufambire zvakanaka. “Usasudurudze chitata chamabwe chomuganho womunda womumwe wako chakaiswa navakuru vekare mumana rako munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. “Munhu haanganzi ane mhosva noumboo hwechapupu chimwechete pamhosva ipi neipi yaanonzi akapara kana akakanganisa. Panotosungirwa kuva nezvapupu zviviri kana zvitatu kuti anzi ane mhosva. Kana chapupu chenhema chikasimuka chichipomedzera munhu kuti akakanganisa, pakadaro vose vari vaviri ngavandomira pana Tenzi padare ravapristi navatongi vari pabasa mazuva iwayo. Vatongi ngavanyatsobvunzurudza. Kana zvikabuda pachena kuti uchapupu hwake ndohwenhema anga achingopomera mhosva mumwe wake zvisizvo, ngaapiwe chirango chakarecho chaanga achida kuti mumwe wake apiwe. Nokudaro uchabvisa huipi hwakadai pakati penyu. Vamwe vose vachazvinzwa, vakatya vakarega kuzoitazve chakaipa chakadai mukati menyu. Usamuitire tsiyenyoro upenyu ngahutsiviwe noupenyu, ziso neziso, zino ngaritsiviwe nezino, ruoko noruoko, gumbo richitsiviwawo negumbo. “Kana moenda kuhondo kundorwa navavengi venyu musazoti kana maona mabhiza mazhinji nengoro nehondo yakakura kupinda yenyu mobva mavatya nokuti Tenzi Mwari wenyu akakuburitsai kuIjipiti, anemi. Kana moda kumirisana kurwa hondo, mupristi ngaauye azotaura kuvarwi achiti, ‘Teererai munzwe imi vaIsiraeri! Nhasi uno mava kuenda kundorwa navavengi venyu. Musaite umbwende kana mwoyo wokutya. Regai kubvunda kana kuvazeza nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye ari kuenda nemi kundokurwisirai vavengi venyu achiita kuti muvakunde.’ “Vatungamiriri vehondo vanozoti, ‘Pane munhu here akavaka imba yaasati aturira kuna Mwari? Ngaadzokere kuimba yake angadaro akafa muhondo iyi imba yake ikatozoturirwa nomumwewo munhu kuna Mwari. Pane munhu here akasima munda wake wamagirepisi aasati adya michero yayo? Ngaadzokere kumusha angadaro akafa muhondo iyi michero yacho ikazodyiwa hayo nomumwe. Pane munhu here achangobva mukuroora asati apiwa mudzimai wake? Ngaadzokere kumusha angadaro akafa muhondo iyi, mudzimai wake akazotorwa nomumwe murume.’ “Vatungamiriri vehondo ngavazobvunzawo varwi vachiti, ‘Pane munhu here ari kutya kana ane ruzazu? Ngaadzokere kumusha nokuti angazadze vamwe mweya woumbwende.’ Kana vatungamiriri vapedza kutaura mozosarudza vatungamiriri vezvikwata zvakasiyana-siyana zvavarwi. “Kana masvika paguta romoda kurwisa tangai mambovapa mukana wokuti muwirirane navo murege kurwa. Kana vada zvokuwirirana nemi, vakakuzarurirai misuo mikuru yeguta ravo, vanhu vose veguta iroro vatova varanda venyu, vachakushandirai chibharo. Asi kana vakaramba kuwirirana nemi, vakada zvehondo nemi kombai guta ravo murigaririre. Kana Tenzi Mwari wenyu aisa guta iroro mumaoko menyu urayai vanhu vechirume vose vemo nebakatwa. Asi vakadzi navana nemombe nezvimwe zvose zvomugutamo pamwechete nezvose zvaunenge wapamba, tora zvako. Idya zvako upfumi hwaunenge watorera vavengi vako vakaiswa mumaoko mako naTenzi Mwari wako. Izvozvo ndizvo zvauchaita namaguta anenge ari kure kure newe asiri amarudzi avanhu vokuno. “Kana zviri zvemaguta amarudzi avanhu vomunyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, usambosiya zvako kana chinhu chinofema chiri chipenyu. Paradza zvokuparadza chaizvo vanhu ava vanoti: vaHiti nevaAmori nevaKanani nevaPerizi nevaHivhi nevaJebhusi sokuudzwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. Izvozvo kunenge kuri kuitira kuti varege kuzokudzidzisa maitiro ose avo anosemesa avanoita pakunamata vamwari vavo ukazotadzira Tenzi Mwari wako. “Kana mukakomba guta, mukarigaririra kwenguva ndefu muchirirwisa muchida kurikurira, musateme miti yaro nokuti munogona kudya michero yayo. Regai kuparadza miti. Ko miti ndovanhu here vamungakomberane kurwisa? Asi miti yaunoziva kuti haidyiwi ndiyo yaungaparadze uchiitemera kuvaka matanho okurwisa nawo guta raunenge uchirwisana naro kudzamara warikurira. “Ngatiti munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako mowanikwa chitunha chomunhu akaurayiwa chiri musango pasingazikanwi munhu akamuuraya, vakuru vakuru venyu navatongi ngavauye vaere kubvira pane chitunha kuenda kumaguta ose ari pedyo nacho. Vakuru vakuru vomuguta rinenge riri pedyo nacho kupinda mamwe ose, ngavatore tsiru risina kumboitiswa basa kana kusungwa pajoko. Vakuru vakuru ivavo ngavaende netsiru racho kubani kukakova kane mvura inoerera kusina kumborimwa kana kudyarwa, vosvikorityorera mutsipa kukakova ikoko. Vapristi vechiRevhi ngavaendeko nokuti ndivo vakasarudzwa naTenzi Mwari wenyu kuti vamushandire nokukomborera muzita raiye Tenzi. Zvavanenge vatema ivo ndizvo zvinopedza mhosva dzose dzokukakavadzana nedzokupondana. Ipapo vakuru vakuru vose vomuguta riri pedyo nepakaurayirwa munhu iyeyo ngavashambire maoko avo pamusoro petsiru riya rinenge ratyorwa mutsipa mubani vachiti, ‘Isu hatizisu takadeura ropa iri, uye isu kana nameso edu kuriona richideurwa. Tenziwe-e, regereraiwo vanhu venyu vaIsiraeri vamakanunura. Musape vanhu venyu vaIsiraeri mhosva yokudeura ropa romunhu asina mhaka.’ Mhosva yokudeura ropa romunhu ngairege kuva pavari. Naizvozvo munobva mashamba mhosva yokudeura ropa romunhu asina mhaka mukati menyu nokunge maita zvakanaka zvinofadza Tenzi. “Kana ukaenda kuhondo kundorwa navavengi vako, Tenzi Mwari wako akaisa vavengi vako mumaoko ako ukavatapa, kana ukaona mukadzi ane chimiro chakanaka pakati penhapwa idzodzo waungade kuroora, enda naye kumba kwako. Ngaaveure vhudzi rake, achekewo nzara dzake, abvise hanzu yake yaakanga akapfeka paakatapwa. Achaita mwedzi wose achichema baba namai vake agere mumba mako, wozobva wopinda naye mumba, iwe wova murume wake iye achivawo mukadzi wako. Kana usisamude murege zvake aende kwaanoda. Haubvumirwi kumutengesa nemari kana kumutora somuranda nokuti wakamukanganisa. “Kana murume ane vakadzi vaviri mumwe waanoda nomumwe waasisadi vakamuberekera vana vakomana vaviri dangwe riri rouya waasingadi, pazuva raanogovera vana vake nhaka ngaarege kutora mwana womukadzi waanoda omuti ndiye dangwe achisiya mwana womukadzi waasisadi anenge ariye dangwe. Ngaatore dangwe sedangwe, iye mwana womukadzi waasisade wacho. Ngaaratidze izvozvo nokumupa chikamu chenhaka chakapetwa yezvaanazvo zvose kaviri nokuti ndiye mwana wake waakatanga-tanga kubereka, ane mvumo yokuwana zvose zvoudangwe. “Kana munhu ane mhandupandu netsvuuramuromo yemwana asingateereri baba namai vake kunyange vachimurayira zvavo, iye asingavanzwi, baba namai vake ngavamutore vaende naye kuvakuru vakuru veguta, rake raanogara pasuo raro. Ngavataurire vakuru vakuru veguta vachiti, ‘Mwana wedu uyu imhandupandu netsvuuramuromo yomwana, haatiteerere anokara uye chidhakwa.’ Varume vose vomuguta rake ngavamuteme namabwe afe. Nokudaro muchabvisa huipi hwakadai pakati penyu zvokuti vaIsiraeri vose vachazvinzwa vakatya. “Kana munhu apara mhosva inokodzera rufu, imi mukamuuraya mukazomuturika pamuti, chitunha chake ngachirege kurara usiku hwose chiripo. Chivigei zuva rakarero nokuti munhu anenge aturikwa pamuti anenge ashorwa zvakanyanyisisa, naTenzi. Regai kun'oresa nyika yenyu yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu. “Rega kuti ukaona mombe kana hwai yehama yako muIsiraeri ichitetereka woita sousingaioni, idzorere kwaari. Kana asiri pedyo newe usingamuzivi enda nayo undoichengeta kumusha kwako kusvikira mumwe wako uya aibvunza, unofanira kumudzosera. Izvozvo ndozvauchaita kana waona dhongi rake kana hanzu yake kana chimwe chinhu zvacho chomumwe wako chaanenge arasa. Usaite sousina hanya nacho. “Kana ukaona mombe kana dhongi romumwe wako muIsiraeri rawira pasi pamugwagwa usaite sousina hanya naro. Mubatsire kurimutsa. “Munhukadzi ngaarege kupfeka hanzu dzinopfekwa nomunhurume. Munhurume ngaarege kupfeka hanzu dzinopfekwa navakadzi. Ani naani anoita izvozvo anosemesa Tenzi Mwari wenyu. “Kana ukaona dendere reshiri mumuti kana pasi zvapo munenge muine shiri yakavhumbamira manyana ayo, kana kurindira mazai ayo, usabate mai vacho nokutorawo manyana ayo kana mazai ayo. Rega mai vacho vaende zvavo, ugotora zvako manyana kuti zvikufambire zvakanaka urarame panyika kwamazuva mazhinji. “Kana wavaka imba itsva ine denga rakati sandara vakira kumucheto kwaro chinodzivirira kuti vanofambapo varege kutozomoka. Kana wadaro hauzovi nemhosva yeropa romunhu angangotozomokapo. “Usadyare mbeu mbiri mumunda wako wemagirepisi. Kana ukangodaro, mbeu dzawakadyaramo nemichero yemagirepisi zvava kuera kwauri. “Usarime nemombe nedhongi zvakasungwa pajoko rimwechete. “Usapfeke hanzu yakarukwa neshinda dzemhando dzakasiyana yewuru neyerineni pamwechete. “Sonerera masa pamakona mana echari yaunofuka. “Kana murume akaroora mukadzi akagara naye akazoti haachamuda, achimufumura nezvaanomupomera nokuipisa zita rake achiti, ‘Ndakatora mukadzi uyu asi ndakamuwana asisina umhandara.’ “Zvino baba namai vomukadzi iyeyo ngavaunze zvinoratidza kuti paiva noumhandara kuvakuru vakuru kusuo reguta. Baba vomukadzi iyeyo vachaudza vakuru vakuru vachiti, ‘Ini ndakaroodza mwana wangu kumurume uyu. Zvino haachamuda. Hezvo akamufumura achimupomera kuti haana kuwana umhandara pamwana wangu. Asi zvinoratidza umhandara hwake ndezvizvi.’ Vachabva vatambanudza jira pameso avakuru vakuru veguta. Vakuru vakuru vaya ngavatore murume wacho vamurove. Ngavamuripise mari inokwana zana remari yesirivha, vaipe baba womukadzi wake nokuti akasvibisa zita remhandara yeIsiraeri. Acharamba ari mukadzi wake uye murume iyeyo haabvumirwi kuzoramba mukadzi iyeyo upenyu hwake hwose. “Asi kana chiri chokwadi chokuti zvinoratidza umhandara hwomusikana iyeyo hazvina kuonekwa, ngaaunzwe kumusuo wemba yababa vake. Varume vomuguta iroro ngavamuteme namatombo afe nokuti akaita unzenza muIsiraeri nokuita ufeve ari pamba pababa vake. Nokudaro muchaita kuti huipi hwakadai hupere pakati penyu. “Kana murume abatwa akarara nomukadzi womuridzi, gombarume iroro nomukadzi iyeyo vose vari vaviri ngavaurayiwe kuitira kuti mubvise huipi hwakadai pakati pevaIsiraeri. “Ngatiti mhandara ichangobva mukuroorwa yaonekwa nomumwe murume muguta obva arara nayo. Vatorei muende navo kugedhi kusuo guru romuguta iroro muvateme namabwe vafe, vose vari vaviri. Musikana anofira nyaya yokuti kunyange zvake aiva muguta haana kuridza mhere. Murume anofirawo nyaya yokufumura mukadzi womuridzi. Naizvozvo muchaita kuti huipi hwakadai upere pakati penyu. “Asi kana murume akaona mhandara musango ichangobva kuroorwa akaibata chibharo, murume iyeyo chete akavata naye, ndiye anofanira kuurayiwa. Asi musikana iyeyo musamurange. Haana mhosva inokodzera rufu. Mhosva yakadai yakafanana nemhosva yemunhu anomukira mumwe wake achimuuraya. Ndinodaro nokuti murume uyu akasangana nemhandara iyi musango, kunyange dai yakaridza zvayo mhere hapana aiinunura. “Kana murume akaona mhandara isati yaroorwa akaibata chibharo kana vakawanikidzwa, murume iyeyo ngaape baba vomusikana makumi mashanu emari yesirivha. Musikana iyeyo achava mukadzi wake nokuti akamufumura. Haabvumirwi kurambana nomukadzi iyeyo upenyu hwake hwose. “Hakuna munhu anobvumirwa kutorana nomukadzi wababa wake nokuti anenge azvidza baba vake nokupinda mumba mavo kwaanenge aita. “Hakuna munhurume ane zvombo zvake zvakakuvadzwa kana zvakachekwa anobvumirwa kuva nhengo yesangano raTenzi. “Mwana womudondo haabvumirwi kuva nhengo yesangano raTenzi, iye kana vana vake kudzamara kuchizvarwa chake chechigumi. “Hakuna muAmoni kana muMoabhu anobvumirwa kuva nhengo yesangano raTenzi narini wose, iye kana vana vake kusvikira kuchizvarwa chake chechigumi nokuti havana kukuchingurai nechokudya kana nemvura yokunwa pamaibva kuIjipiti, uye nokuti vakakudaidzirawo Bhiriamu mwanakomana waBheori wokuguta rePetori riri kuMesopotamia kuzokurengererai rushambwa. Asi Tenzi Mwari wako haana kuteerera Bhiriamu, akasandura kurengererwa rushambwa ikoko akaita kuti kuve chikomborero nokuti Tenzi Mwari wako akakuda. Usambotsvaka kuwirirana navo kana kuvabatsira muupenyu hwako hwose narini wose. “Usashore muEdhomu nokuti ihama yako. Usashore muIjipiti nokuti iwe wakambovawo mutorwa munyika yake. Vana vavo vechizvarwa chechitatu, ndivo vanozobvumirwa zvavo kuva nhengo yesangano raTenzi. “Kana maenda kundorwa navavengi venyu muri pamusasa muzvichengetedze imi pachenyu kuzvinhu zvakaipa. Kana pakati penyu pane mumwe akan'ora nokuzvirotera anofanira kundogara kunze kwomusasa amborega kupindamo. Kana ava manheru anofanira kushamba muviri. Kana zuva ravira, ngaachidzokera zvake mumisasa. “Iva nenzvimbo kunze kwomusasa kwokuendera. Pazvombo zvokuhondo zvaunenge unazvo unofanira kuvawo nomuchogodo wokucheresa kuitira kuti paunoenda kunze, ndowaunochera nawo chikomba, kana wapedza zvaunoita wozofusira. Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu anofamba-famba mumusasa wenyu kuti akununurei achiisa vavengi venyu mumaoko menyu. Naizvozvo musasa wenyu ngaugare wakachena kuti asazoona tsvina dzakadaro pakati penyu akazokufuratirai. “Kana muranda akatiza tenzi wake, achizopotera kwamuri musamudzosere kuna tenzi wake. Ngaagare nemi kwaanenge asarudza chero muguta ripi zvaro renyu kwaanoda zvake. Regai kumubata zvakaipa. “Ngakurege kuva nomuIsiraeri anova mhombwe kana chifeve chetemberi. Kunyange mari yamunobvisa kuripa zvemhiko dzenyu kuimba yaTenzi Mwari wenyu, regai kuiunza ichibva pamari inowanikwa noufeve kana nezvowumbwa uhwu hwemhombwe nokuti zviito izvozvi zvinosemesa pana Tenzi Mwari wenyu zvose zviri zviviri. “Kana wakweretesa mumwe wako muIsiraeri chinhu, usamuripise mubereko, ingave mari kana chokudya kana chimwewo chinhu chaungangomukweretesa. Kana ari mutorwa ungamuripise zvako mubereko pane zvaunomukweretesa, asi mumwe wako muIsiraeri usamuripise mubereko kuitira kuti Tenzi Mwari wako akukomborere pane zvose zvaunoita munyika yauri kundotora kuti ive yako. “Kana watsidzira Tenzi Mwari wako mhiko usazorega kuita zvaunenge watsidza nokuti Tenzi Mwari wako anotarisira kuti utoita chete zvawakatsidza ukarega kuzviita chatova chitadzo. Asi ukarega kupika mhiko hachisi chitadzo kwauri. Nyatsoita nomazvo zvaunenge wataura nomuromo wako nokuti wakatsidzira Tenzi Mwari wako mhiko nomuromo wako pasina kumanikidzwa. “Kana ukapinda nomumunda womumwe wako wemagirepisi, idya zvako magirepisi pamadiro ugute, asi rega kuisa mamwe mumudziyo wokutakurira. Kana ukapinda nomumunda womumwe wako uchiine mbesanwa dzisati dzakohwiwa tanha zvako hura dzadzo namaoko asi usazoita zvokumweta nejeko. “Zvingaitike kuti murume oroora mukadzi ozowana chinhu chisingamufadzi maari nokuti anenge aona chinhu chisina kufanira maari, obva omupa mumaoko tsamba yegupuro achimudzinga pamba pake, kana akabvapo ondoroorwa nomumwe murume, murume iyeyo akasafadzwawo naye akamupawo mumaoko tsamba yegupuro achibva amudzinga pamba pake, kana kuti murume wacho ofa, pakadaro murume wake uya akatanga kumuramba haabvumirwi kudzokerana nomukadzi iyeyo anenge ambon'oreswa kudaro nokuti kudzokerana kwakadai marutsi chaiwo pana Tenzi. Usamboparamurana nechitadzo chakadai chinosvibisa nyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako. “Kana murume apiwa mukadzi waachangobva mukuroora ngaarege kuenda kuhondo, kana kupiwa mutoro webasa renyika yake rinofanira kuitwa. Ngaagare zvake pamusha kwegore rose achivaraidzana nomudzimai waakaroora. “Kana ukakweretesa munhu usambofanomubatira guyo, kana huyo yake kuti azokudzosera nokuti unenge wamutorera chinomuraramisa. “Kana munhu akawanikidzwa achiba mumwe wake wechiIsiraeri, achimuita muranda wake kana kumutengesa, nyakuba munhu ngaaurayiwe. Naizvozvo muchabvisa huipi hwakadai pakati penyu. “Kana chirwere chamapere chabata munhu, nyatsoitai nomazvo zvose zvamunodzidziswa navapristi vechiRevhi zvandakavataurira mobva manyatsozviita. Yeuka zvakaitwa naTenzi Mwari wenyu kuna Miriamu pamaiva murwendo muchibva kuIjipiti. “Paunokweretesa mumwe wako chero chinhu chipi zvacho usapinde mumba make kundotora chinhu chokumbofanobata. Asi mira panze munhu waunokweretesa abude nacho kuzokupirapo. Kana ari murombo usarare usina kumudzosera chinhu chake. Mudzosere chinhu chake kana zuva rodoka kuti awane chokurara akafuka agokutenda iwewe unenge watoita zvakarurama kuna Tenzi Mwari wako. “Usabate zvakaipa mushandi murombo asina chokubata angave mumwe wako muIsiraeri, kana vatorwa vari mumaguta enyu munyika yenyu. Mubhadhare basa raaita pazuva iroro kusati kwadoka nokuti murombo, uye ndopanenge pane mwoyo wake ipapo. Angadaro akachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri. “Madzibaba haafanire kuurayirwa mhosva dzavana vavo. Vana havafanirewo kuurayirwa mhosva dzamadzibaba avo. Munhu pachake anofira mhosva yake iye pachake. “Rega kuti kana wotonga mutorwa kana nherera, wosiya zviri pamutemo. Kana ukakweretesa chirikadzi, rega kuitorera hanzu yayo yokumbofanobata. Unofanira kurangarira kuti wakambova muranda muIjipiti, Tenzi Mwari wako akazokununurako ndokusaka ndakupa murao uyu. “Paunokohwa mbesa mumunda wako, ukakanganwa chisumbu chadzo usadzokere kundochitora. Ngachisarire vatorwa nenherera nechirikadzi kuitira kuti Tenzi Mwari wako akukomborere pane zvaunoita. Paunokuzhumura michero yako yamaorivhi usaudzokerere mapazi awo zvakare. Ngaisarire vatorwa nenherera nechirikadzi. Paunokohwa magirepisi mumunda wako wamagirepisi usaudzokerere uchifuhwa. Ngaasarire vatorwa nenherera nechirikadzi. Rangarira kuti wakambova muranda muIjipiti ndokusaka ndakupa murao uyu. “Kana vanhu vaviri vakaitirana nharo, vakaenda kudare, dare rotaura kuti, ‘Uyu ane mhosva, uyu haana mhosva,’ nyakubatwa nemhosva onzi ngaarohwe, mutongi achamuti azvambarare pasi arohwe shamhu dzinokodzerana nemhosva yake iye aripo. Angarohwe shamhu makumi mana asi ngadzirege kupfuura ipapo, nokuti kana akarohwa shamhu dzinopfuuridza ipapa ingadaro hama yako ikafumurwa iwe uchiona. “Usaise mombe matomhu paunenge uchiipurisa mbesanwa. “Kana vanakomana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe obva afa asina mwana mukomana, chirikadzi yaanosiya haifaniri kuroorwa nomutorwa. Muramu wake ngaamugarire nhaka achengetedzewo murao wenhaka. Mwana mukomana waanotanga kubereka achapiwa zita romuchakabvu kuitira kuti rirege kutsakatika muIsiraeri. Kana muramu uya asingadi kugara nhaka mukadzi womukoma kana munun'una wake ngaaende kuvakuru vakuru kuzambara kundomhan'ara achiti, ‘Muramu wangu ari kuramba kumutsiridza zita rehama yake muIsiraeri muno. Ari kuramba kuita basa rake rokundigarira nhaka.’ Ipapo vakuru vakuru vomuguta rake ngavamudaidze vataure naye. Kana akarambisisa achiti, ‘Handidi kutora mukadzi iyeyo.’ Mukadzi uya ngaaende kumuramu wake omubvisa shangu yake, omupfira mate kuuso, vakuru vakuru varipo obva ati, ‘Izvi ndizvo zvinoitwa kumunhu asingadi kuti musha womukoma kana munun'una wake ukure. Zita rake muIsiraeri muno richanzi; Imbayanyakubviswashangu.’ “Kana varume vaviri vachirwisana, mukadzi womumwe akauya kuzokutsira achibatsira murume wake, akakata zvombo zvomumwe wacho, dimurai ruoko rwomukadzi iyeyo musingamunzwiri tsitsi. “Usave nezviereso zviviri zvine mwero yakasiyana, zvinoti chimwe chikuru chimwe chiduku muchijosaka chako. Mumba mako usave nezviereso zviviri zvine mwero isina kuenzana zvinoti chimwe chikuru chimwe chiduku. Unosungirwa kuva nezviereso nezvokupimisa zvechokwadi zviri pamwero kuti mazuva ako awande munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wako haambodi zvake vanhu vanoita izvozvi zvoujarijari hwokubiridzira. “Rangarira zvakaitwa naAmareki kwamuri muri murwendo rwokubva kuIjipiti. Zviya zvaakakuvinga panzira nehondo akakufuta neshure pawakanga waneta warukutika, akauraya vamwe venyu vose vakanga vaneta vasaririra shure asingambotya zvake Mwari. Naizvozvo, kana Tenzi Mwari wako azokupa zororo kuvavengi vako vose vari munharaunda yenyika yako yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, tsakatisa rudzi rwaAmareki pasi pano, usakanganwe. “Zvino kana uchinge wasvika munyika yaunopiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, waitora wagaramo, pamhando dzose dzembesa dzako kana odzikohwa unofanira kutora dzokutanga dzacho uise mutswanda uende nadzo kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako kuisa zita rake kuti rivepo, uende kumupristi anenge ariko panguva iyoyo uti, ‘Nhasi uno ndinoreva pachena kuna Tenzi Mwari wenyu kuti ndakakwanisawo kuva munyika ino iyi makatsidzirwa madzitateguru edu naTenzi kuti tinozopiwa.’ “Mupristi ngaatambire tswanda iyoyo andoigadzika paatari yaTenzi Mwari wako. Pana Tenzi Mwari wako ipapo taura uchiti, ‘Baba vangu vaiva muAramu, vaiva munhu aingoti apa garei tamei apa garei tamei, vakaenda kuIjipiti vakagarako nemhuri yavo yavanhu vashomashoma. Vari ikoko vakazova rudzi rukuru, runa simba, runa vanhu vazhinji. VaIjipiti vakatibata zvakaipa vakationesa nhamo vachitiitisa basa rechibharo. Takazochema kuna Tenzi Mwari wamadzibaba edu, Tenzi ndokunzwa kuchema kwedu, ndokuonawo kutambura kwedu nomutoro wedu webasa nokusabatwa zvakanaka kwataiitwa. Tenzi akatiburitsa muIjipiti nesimba rake guru namabasa ake makuru anotyisa nezviratidzo nezvishamiso. Akatiunza kunzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika yakanaka yomukaka nouchi. Zvino, hedzinoi mbesa dzokutanga dzomumunda wamakandipa imi Tenzi dzandauya nadzo.’ Unofanira kudziisa pana Tenzi Mwari wako upfugamire Tenzi Mwari wako ipapo. Iwe nemhuri yako nomuRevhi nomutorwa pemberai muchifarira zvinhu zvawakapiwa naTenzi Mwari wako. “Gore rechitatu roga roga, igore rokubvisa chegumi chezvose zvaunowana uchipa muRevhi nomutorwa nenherera nechirikadzi kuti dzidye dzigute mumaguta enyu. Kana wapedza enda undotaura pana Tenzi Mwari wako kuti, ‘Ndatora mumba mangu chikamu chamakatema kuti ndechenyu ndikapa muRevhi nomutorwa nenherera nechirikadzi sokundirayira kwamakaita, handina kumbodarika kana kukanganwa mirao yenyu. Handina kudya chegumi pandaingunochema nhamo yokufirwa, kana kuchibata pandainge ndan'ora, kana kuchipira kumidzimu. Ndakateerera izwi raTenzi Mwari wangu ndikaita zvose sokundirayira kwamakaita. Titarireiwo muri kudenga, kumusha wenyu mutsvene mukomborere vanhu venyu vaIsiraeri nenyika iyi yakanaka yomukaka nouchi yamakatipa sokutsidzira kwamakaita madzibaba edu.’ “Nhasi uno Tenzi Mwari wako anoti teerera mitemo nemirao iyoyi, uichengete nomwoyo wako wose nomweya wako wose. Nhasi wabvuma zvataurwa naTenzi kuti ndiye Mwari wako uye kuti uchafamba munzira dzake, uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, nokuteerera izwi rake. Tenzi abvumawo nhasi kuti imi ndimi vanhu vake chaivoivo sokukutaurirai kwaakaita uye kuti muchachengeta mitemo yake yose. Akati achakusimudzirai pamusoro pendudzi dzavanhu dzose dzaakasika. Muchakudzwa, zita renyu rigorumbidzwa, mugova nomukurumbira, imi mugova rudzi rutsvene rwaTenzi Mwari wenyu sokureva kwake.” Mosesi pamwechete navakuru vakuru vevaIsiraeri vakataurira vanhu kuti, “Chengetai mirao yose yandiri kukuudzai nhasi uno. Musi wauchayambuka Jorodhani uchipinda munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako unofanira kumisa mhitsa dzamabwe uadzurure, unyore paari zvirevo zvose zviri mumutemo uyu pauchayambuka uchipinda munyika yakanaka yomukaka nouchi yauri kupiwa naTenzi Mwari wako sokutsidzira kwawakaitwa naTenzi Mwari wamadzibaba ako. Kana wayambuka Jorodhani wava paGomo reEbhari ndopaunomisa mabwe iwayo andiri kukurayira nhasi uno, woadzurura. Uvakire ipapo Tenzi Mwari wako atari yematombo. Usaabate-bate kana kuaveza nesimbi. Vakira Tenzi Mwari wako atari yematombo asina kuvezwa, ugopira mipiro yokupisa kuna Tenzi Mwari wako. Upire mupiro wokuwadzana uudyire ipapo pana Tenzi Mwari wako uchifara zvako. Unofanira kunyora zvinonyatsoonekwa mazwi ose omutemo iwoyu, pamabwe aye.” Ipapo Mosesi navapristi vechiRevhi vakataurira vaIsiraeri vose kuti, “VaIsiraeriwe-e, nyararai munzwe, nhasi mava vanhu vaTenzi Mwari wenyu. Naizvozvo teererai izwi raTenzi Mwari wenyu muchengete mitemo nemirao yake yandiri kukuudzai nhasi uno.” Musi iwoyo Mosesi akakomekedza vanhu achiti, “Kana mayambuka Jorodhani vokwaSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naJosefi naBhenjamini, vachamira paGomo reGerizimu vachikomborera vanhu. VokwaRubheni naGadhi naAsheri naZebhuruni naDhani naNafutari, vachamirawo paGomo reEbhari, varengerere nokushurikidza. Ipapo vaRevhi vachadaidzira vachitaurira vanhu vose vaIsiraeri kuti: “ ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anoveza kana kugadzira chifananidzo chesimbi, chinhu chisingambodiwi naTenzi chakatoitwa zvacho namaoko emhizha, chikamiswa muchivande.’ Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoshora baba vake kana amai vake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaave norushambwa munhu anosudurudza chitata chamabwe chomuganho womumwe wake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anorasikisa bofu nzira yaro. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoti kana otonga mhosva yomutorwa kana yenherera kana yechirikadzi osiya zviri pamurao. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anotorana nomukadzi wababa wake nokuti anenge azvidza baba wake nokupinda mumba mavo kwaanenge aita. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoita zvoupombwe nemhuka. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoita upombwe nehanzvadzi yake. Ingave hanzvadzi yake yokuti baba chete ndivo vamwechete naye kana kuti amai chete ndivo vamwechete naye. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anovata navambuya vake. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anoponda mumwe muchivande. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu anotengwa kuti auraye munhu asina mhosva. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Ngaawirwe norushambwa munhu asingabvume zvatemwa nomurao uyu kuti auchengete. Vanhu vose vachabvumira vachiti, ‘Ameni.’ “Kana mukateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wenyu mukanyatsochengeta mirao yose yandiri kukuudza nhasi uno, Tenzi Mwari wako achakusimudzirai pamusoro kupfuura ndudzi dzose dzavanhu dzapasi pano. Kana ukateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, makomborero ose aya achauya kwauri achiita zvokunaya pauri. “Muchakomborerwa mumaguta menyu nomumaruwa menyu. “Muchakomborerwa nokupiwa vana vakawanda, nembesa zhinji muminda yenyu, nemhuka dzakawanda. Zvipfuwo zvako zvichaita matanga namatanga, vana vezvimwe zvipfuwo zvako vachiita gumi nefararira. “Muchakomborerwa zvokuti matengu enyu achagara akati pamu pamu kuzara, mutsero dzenyu hamuzomboshayikwa chirimo. “Muchakomborerwa mune zvose zvamuchaita. “Tenzi achaita kuti vavengi venyu vanenge vakumukirai vakurirwe. Vachakuvingai vakatungamidzana, asi muchavaitisa chimwandamwanda. “Tenzi achakomborera basa rako. Achazadza matura ako. Achakukomborera munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. “Tenzi achakuitai rudzi rwavanhu vake pachake vatsvene maererano nemhiko yaakakuitirai, ndokungewo machengeta mirao yaTenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake. Naizvozvo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano vachaona kuti munodaidzwa nezita raTenzi. Vachakutyai. Tenzi achakupfumisa achikupa vana vakawanda, nezvipfuwo zvizhinji nembesa zhinji, munyika yakatsidzirwa madzibaba ako naTenzi kuzokupa. Tenzi achakuzarurira matura oupfumi hwake hwakanaka hwokumatenga achikunayisira mvura mumunda mako nenguva yayo chaiyo nokukomborera basa rose raunobata. Uchakweretesa ndudzi zhinji dzavanhu, asi iwe usina chaunokwereta kwavari. Tenzi achakuitai musoro, kwete muswe. Ucharamba uchibudirira chete, usingakundikane, ndokunge wateerera mirao yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno wanyatsoichengetawo. Regawo kutsautsira pane murao upi noupi zvawo pamirao yandiri kukuudza nhasi, woita zvomusoro wako wotevedza vamwe vamwari uchivashandira. “Asi kana mukarega kuzoteerera zvataurwa naTenzi Mwari wenyu, kana kuchengeta mitemo nemirao yandiri kukupai nhasi uno, rushambwa irworwu rwose ruchakutibikirai. “Muchawirwa norushambwa mumaguta enyu nomumaruwa enyu. “Muchawirwa norushambwa rwokushaya kana chokuisa mumatengu enyu kana mutsero dzenyu. “Muchava norushambwa rwokusava navana vakawanda, norwokuva nezvokukohwa zvishomashoma, uye mombe nezvimwe zvipfuwo zvenyu zvichange zviri zvishomanana. “Muchava nekashambwa kwokuti zvose zvamunoita hazvibudirire. “Tenzi achakupai rushambwa, achakuonesai ndondo achakutsiudzai pane zvose zvamuchaita kudzamara maparadzwa matsakatika pasina nenguva yose zvakonzerwa nezviito zvenyu zvakaipa zvamunenge maita muchindiramba. Tenzi achakutumirai denda richakurakatisai kusvikira mose mapera kuti dhu munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu. Tenzi achakurovai nedenda rechikosoro chorurindi neromuviri unopinda chando, namaronda anonyeka, nokupisa muviri nenhamo yokushaya mvura zvokuti mbesa dzenyu dzichaita zvikukuve dzichiita chakuvhuvhu nezuva. Zvichakunonoresai kudzamara mapera kuti nho-o. Denga richaramba kunaya serakadzivirirwa nendarira. Pasi paunotsika pachaomarara sesimbi. Panze pokuti Tenzi anayise mvura, jecha neguruva ndizvo zvichanaya. Zvichabva kudenga zvichikunaya kusvikira waparara. “Tenzi achaita kuti mukundwe navavengi venyu. Muchavavinga nenzira imwechete makatungamidzana asi munozodzokako rava bararamhanya kuvatiza. Ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano dzichadedereswa nazvo. Zvitunha zvenyu zvichadyiwa neshiri dzedenga nezvikara zvesango pasina anozvidzinga. Tenzi achaita kuti uve nedenda ramamota aye okuIjipiti, muviri uchiva namaronda maronda nemhezi, muviri wose uchingova negwenyukwenyu risingarapike. Tenzi achakupa chirwere chokupenga nechoupofu nechokuzungaira. Sebofu rinofamba richiita zvokutsvanzvadzira murima, uchaita kufamba kwokutsvanzvadzira masikati machena. Hauzombobudiriri pane zvaunoita. Vanokukurira vachazogara vachikubata zvakaipa nokukupambira zvinhu zvako pasina anokununura. “Uchangoti roorei mukadzi wako, gombarume robva rarara zvaro naye. Uchavaka imba asi hauzogaramo. Ucharima munda wamagirepisi, asi haumboruma kana girepisi rayo. Mombe yako ichaurayiwa wakatarisa, asi nyama yacho haumboiisa kumuromo. Dhongi rako richapambwa mumaziso mako, usingazoridzoserwi. Hwai dzako dzichaiswa mumaoko mavavengi vako pasina anokununudzira. “Vana vako vakomana navasikana vachatapwa navanhu veimwe ndudzi, uchavatsvokorera meso zuva nezuva uchivatarisira kuti vachadzoka pasina chaunokwanisa kuita. Rudzi rwavanhu vausingazivi zvako, ndirwo ruchadya mbesa dzawakadikitira kurima. Vacharamba vachikutonga nechisimba chete zvokuti nhamo yauchaona nameso ako ichakupengesa. Tenzi achakupa rushambwa rwokuve namazironda pamabvi napamakumbo ako. Maronda acho enhuta asingarapiki anobvira pasi petsoka yako kusvikira panhongonya yomusoro wako. “Tenzi achaita kuti imi namambo wenyu wamunenge magadza kukutongai mutapwe norudzi rwavanhu vasingazikanwi nemi kana namadzibaba enyu. Ikoko muchandonamata vamwari vezvimiti navamabwe. Marudzi ekwauchange waendeswa achakatyamadzwa nazvo zvokuti uchava chinhu chinokatyamadza, chiseko zvacho netsumo yavo. “Uchadyara mbeu dzakawanda mumunda, asi zvokukohwa zvichava zvishomanana nokuti zvichapera kudyiwa nehwiza. Uchasima minda yamagirepisi ugobindikita kuichengetedza, asi hapana chaunotanhamo, kana kumbonwawo waini yomo nokuti zvose zvichapera kudyiwa namakonye. Uchava nemiti yemiorivhi munyika yako yose, asi hapana kana futa rayo rauchazora nokuti maorivhi acho achakurumuka. Uchabereka vana vakomana navasikana, asi hauzogari navo nokuti vachatapwa. Miti nemichero yomunyika mako ichava yehwiza. “Mutorwa wauchange ugere naye acharamba achingokwirira chete pamusoro pako iwe uchingoderera. Iye ndiye achatokukweretesa, asi iwe usingakwanise kumukweretesawo. Iye ndiye achava musoro, iwe uriwe muswe. “Rushambwa rwenhamo dzose idzi ruchakuwira rwugoramba rwakangoti nama nama newe kudzamara wakwana narwo rwakuparadza nokuti unenge usina kuteerera zvakarehwa naTenzi Mwari wako, usina kuchengeta mitemo nemirao yake yaakakuudza. Izvozvi izvi zvichava chiratidzo nezvinhu zvichakushamisa iwe navana vako. Pamusana pokuti unenge usina kushandira Tenzi Mwari wako norufaro nomwoyo wakasununguka panguva yaunenge uchakapfuma, nokudaro uchashandira vavengi vako, vachakuvinga vatumwa naTenzi iwe uine nzara nenyota, usina zvokupfeka zvakakwana, zvinhu zvose zvichingova zvenhamonhamo kwauri vachizokuisa joko resimbi pamutsipa wako kudzamara vakuparadza. Tenzi achatuma rudzi rwavanhu vanobva kure, pasi kwenyika; uchaerekana wavhungwa sezvinoita gondo rodo kubata huku. Vachange vari rudzi rwavanhu vane mutauro wamusinganzwi, rudzi rune zviso zvinodederesa rusina zviya zvokunyara vakura kana kunzwira vana vaduku tsitsi. Vachadya mhuru dzezvipfuwo zvako, nembesa dzomumunda wako kusvikira vakurozva. Havambokusiyiri kana tsanga yembesanwa zvayo kana kukusiyira waini kana mafuta eorivhi, kana mwana zvake wezvimwe zvipfuwo zvako, kana kachipfuwo kako zvako kudzamara vakutsakatisa. Vachakukombai mumaguta enyu kudzamara nhungamakore dzetsvingo dzawo dzamunovimba nadzo dzakoromoka munyika yenyu yose. Vachakomba maguta enyu ose omunyika yenyu yose yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu. “Pamunenge makakombwa kudaro, matambudzwa navavengi venyu, muchasvika pakutodya vana venyu vokubereka, nyama yavana venyu chaivo vakomana navasikana vamunenge mapiwa naTenzi Mwari wenyu, munhamo iyoyo yokukombwa kwamaguta enyu navavengi venyu. Kunyange murume ane mwoyo munyoro wokuziva hama, haazonzwira tsitsi mukoma kana munun'una wake kunyange mudzimai wake, chido chomwoyo wake, kana vana vake vanenge vachiripo zvokuti anotovanyima nyama yavana vake vaanenge achidya nokuti anenge asisina chokubata munhamo iyoyo yokukombwa mumaguta enyu navavengi venyu. Kanawo mukadzi ane mwoyo munyoro wokuziva hama, anenge akapfuma zvokuti haasati ambofunga mumwoyo make kuti rutsoka rwake ruchatsika pasi, haazonzwira tsitsi murume wake, chido chemwoyo wake, kana mwana wake mukomana kana musikana. Achangobva mukusununguka, achadya muchivande mwana wake mucheche pamwechete nechavakuru chake pamusana pokuti panenge pasisina chokubata munhamo iyoyo yokukombwa kwemaguta enyu navavengi venyu. “Kana ukarega zvako kunyatsoteerera nokuchengeta zvose zvinorehwa nomutemo uyu zvakanyorwa mubhuku rino, uchitorega zvako kutya zita iri rokuti Tenzi Mwari wako rine mukurumbira rinoremekedzwa, Tenzi achaita kuti matambudziko ako akure ave ndambirira chaiyo. Achakurwarisa, iwe navana vako namatenda asingapere nezvirwere zvinosiririsa zvisina mugumo. Achaunzawo pauri zvirwere zvose zviya zvawaitya zvokuIjipiti zvicharamba zvakati pauri momote. Tenzi achauyisa pauri zvirwere nenhamo dzose dzisina kunyorwa mubhuku romutemo irori kusvikira maparadzwa. Muchasara mava vanhu vashomanana asi imi maimbova senyenyedzi kuwanda nokuti munenge musina kuteerera zvinorehwa naTenzi Mwari wenyu. Sokufara kwakaita Tenzi kukupfumisai nokuita kuti muwande, Tenzi achafarirawo kukuparadzai achikupedzai achikutipurai kubva munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive yenyu. “Tenzi achakumwararisai mukati memarudzi avanhu kubvira kwakaperera nyika kusvika kwainoperera, ikoko muchandonamata vamwari vasingambozikanwi nemi kana namadzibaba vezvimiti navamabwe. Uri mukati memarudzi evanhu ivavo haumbogadzana mwoyo, unenge usinawo paungati apa ndopahoko yangu. Tenzi achakupa mwoyo wokungova zimbwende romunhu. Ucharasa mwoyo pakutarisira kwako uchigara wakasuruvara. Uchagara wakabatira upenyu hwako mumaoko, uchitya kuti zvimwe haridoke uri mupenyu, kana kuti hakuedze uchafema. Pako uchapashaya, mangwanani mwoyo wako unenge wongoti dai kwachidoka zvako, kana kwazodoka wochemera kuti dai zuva rachibuda zvaro. Izvozvo unenge wava nebapu mumwoyo mako rokutya chose chose chawaona. Kunyange ndakambotaura kuti hamuchazoita rwendo irworwo zvakare, Tenzi achakudzosera kuIjipiti nengarava. Muchandozvishambadza mose varume navakadzi kuti mutengwe navavengi venyu savaranda, asi muchashaya neangadewo kukutengai.” Iri ndiro bumbiro remitemo yechitenderano chakataurwa naTenzi kuna Mosesi kuti aitise vaIsiraeri naye munyika yavaMoabhu pamusoro pechimwe chitenderano chiya chaakavaitisa pagomo reHorebhu. Mosesi akadaidza vaIsiraeri vose akati kwavari, “Makazvionera pachenyu zvose zvakaitwa naTenzi munyika yeIjipiti kuna Farao navaranda vake vose munyika yake yose. Makazvionera nameso enyu zviedzo zvikuru nezviratidzo nezvishamiso zvikuru zviya. Kunyange pari nhasi Tenzi haasati akupai mwoyo wokunzwisisa kana maziso okuona nawo kana nzeve dzokunzwa nadzo. Ndakakutungamirirai kwamakore makumi mana murenje, mbatya dzenyu hadzina kubvaruka pamuviri penyu, shangu dzenyu hadzina kumbosakara mutsoka dzenyu. Hamuna kumbodya chingwa kana kumbonwa waini kana doro, kuti muzive kuti ndini Tenzi Mwari wenyu. Pamakasvika muno Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgu mambo weBhashani, vakativinga kuzotirwisa, tikavakurira. Takavatorera nyika yavo tikaipa vedzinza raRubheni nevedzinza raGadhi nechikamu chevedzinza raManase kuti ive nhaka yavo. Naizvozvo nyatsochengetai zvose zvinorehwa muchitenderano ichi kuti zvikufambirei zvakanaka pane zvose zvamuchaita. “Nhasi uno imi mose mumire pano pana Tenzi Mwari wenyu muina vatungamiriri vamadzinza enyu navakuru vakuru venyu namakurukota enyu navanhurume vose vevaIsiraeri, navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vagere nemi mumatendhe enyu, kusvikira kuna anokutemerai huni dzenyu naanokutekerai mvura. Nhasi uno maunganira kuzoita chitenderano pana Tenzi Mwari wenyu chaari kuda kuti atsidzirane nemi nemhiko kuitira kuti nhasi uno akuitei vanhu vake, iye achiva Mwari wenyu sokukutaurirai kwaakaita uye sokutsidzira kwaakaita madzitateguru enyu vana Abhurahamu naIsaki naJakobho. Handisi kuitisa chitenderano ichi imi moga, asi ndiri kuchiitisa vamwe vasati vava nesu pari nhasi navamire nesu pano pamberi paTenzi Mwari wedu nhasi uno. “Imi munoziva upenyu hwatakagara munyika yeIjipiti, nokupfuura kwatakaita nomundudzi dzavanhu vomunyika dzatakapfuura nadzo. Makazvionera zvinhu zvavo zviye zvisingadiwe zvazvo naMwari nezvifananidzo zvavamwari vavo vezvimiti navamabwe nevesirivha nevendarama zvavaiva nazvo. Chichenjerai kuti nhasi uno, pakati penyu pangadaro pakava nedzinza kana mhuri, kunyange murume kana mukadzi anoita mwoyo wokufuratira Tenzi Mwari wedu achindonamata vamwari vendudzi idzodzo. Pakati penyu pangadaro pakava nomudzi unobereka muchero womuchetura unovava unouraya. Munhu akadaro angati kana anzwa mazwi aya echitenderano ichi chakaitwa nemhiko otozvipa chikomborero nechomumwoyo achiti, ‘Zvose zvichandifambira zvakanaka, kunyange zvangu ndichizvitutumadza mukupanduka kwangu.’ Izvozvi zvichakusvitsai pakuti kana morangwa, mokukurwa mose vakanaka navakaipa. Tenzi haamboregerera munhu iyeyo, asi kutoti hasha dzaTenzi dzichamuvirukira. Majambwa ose aye akanyorwa mubhuku rino iri achamuwira. Tenzi achatsakatisa zita rake panyika pano. Pakati pamadzinza ose evaIsiraeri, Tenzi achamutsaurira nhamo yokuti awirwe nemajambwa ose omuchitenderano akanyorwa mubhuku rino iri romutemo. “Zvizvarwa zvenyu zvichaberekwa zvichatarisa pamwechete nomutorwa anobva pasi kwenyika, zvichiona nhamo nezvirwere munyika yenyu zvichange zvaunzwa naTenzi. Nyika yose ichatsva igosara yangova sarufa nomunyu chete isina chakadyarwamo isingamere chinhu, kana uswa zvahwo. Zvichangofanana nokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora neAdhima neZebhoimu, maguta akaparadzwa naTenzi akatsamwa aine hasha. Heeka, ndudzi dzose dzevanhu dzichati, ‘Seiko Tenzi akaitira nyika iyoyi zvakadai? Ko kuviruka nehasha zvakadai kunorevei?’ Vanhu vachati, ‘Pamusana pokuti vakakanda pasi chitenderano chaTenzi Mwari wamadzibaba avo, chaakaita navo paainge achivaburitsa munyika yeIjipiti. Vakandonamata nokupfugamira vamwe vamwari, vamwari vavasingamboziva, vasina kumbovapa kana nhaka yenyika. Ndokusaka hasha dzaTenzi, dzakavirukira nyika iyoyi, akaita kuti majambwa akanyorwa mubhuku rino iri aiwire. Tenzi akabva avadzipura munyika yavo akatsamwa, aine hasha, akagumbuka zvikuru. Akandovakandira kune imwe nyikawo sezvazviri nhasi uno.’ “Zvinhu zvinenge zvakavanzika ndezvaTenzi Mwari wedu, asi zvakaburitswa pachena ndozveduwo navana vedu nokusingaperi kuti tichengete zvose zvinorehwa nomutemo uyu. “Kana makomborero aye nemajambwa andakakuudza azoitika kwauri, wazviyeuka uri pakati pamarudzi avanhu okwauchaendeswa naTenzi, ukadzokera kuna Tenzi Mwari wako, iwe navana vako mukamuteerera mochengeta zvose zvandiri kukuudzai nhasi uno nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose, ipapo Tenzi Mwari wenyu achashandura nhamo yenyu youtapwa, achakunzwirai tsitsi agokukokorodzai zvakare kubva kumarudzi avanhu ose kwamakamboparadzirwa naTenzi Mwari wenyu. Kunyange vamwe venyu vakaendeswa kure kure kwakaperera nyika, Tenzi Mwari wenyu achakukokorodzai achikudzorai kubva ikoko. Tenzi Mwari wako achakuunza munyika yemadzibaba ako kuti ive yako zvakare. Achakupfumisa agoita kuti muwande kupfuura madzibaba enyu. Tenzi Mwari wako achaita kuti iwe navana vako muve nomwoyo wakatendeseka kwaari kuitira kuti ude Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose ugorarama. Tenzi Mwari wako achazoisa majambwa ose aya pavavengi vako nemhandu dzako dziya dzaikutambudza. Unofanira kuzoteererazve Tenzi Mwari wako uchengete mitemo yake yose yandiri kukuudza nhasi uno. Tenzi Mwari wako achakupfumisa kwazvo pane zvose zvauchaita namaoko ako, achakupa vana vazhinji, nemombe dzakawanda nezvokukohwa zvizhinji nokuti Tenzi achakufarira achikuita kuti ubudirire sokufarira kwaakaita madzibaba ako, ndokunge wateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, uchichengeta mitemo nemirao yake yakanyorwa mubhuku iri romutemo, uye ndokungewo wadzokera kuna Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose. “Ndinodaro nokuti mutemo uyu wandiri kukupa nhasi uno hausi mutemo wakanyanya kukuomera, uye hausi kure newe. Hausiri kudenga zvokuti ungati, ‘Ndiani angakwire kudenga kundotitorera murao wacho kuti tiunzwe tiuchengete?’ Hausiri kumhiri kwegungwa zvokuti ungati, ‘Ndianiko angatiyambukire gungwa kundotiunzira murao wacho tiunzwe tiuchengete?’ Asi murao wacho unawo pauri ipapo, uri parurimi rwako, uri mumwoyo mako kuti uuchengete. “Chinzwa, nhasi uno ndaisa pamberi pako, uku upenyu nezvakanaka uku rufu nezvakaipa. Kana ukachengeta mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukuudza nhasi uno, ukada Tenzi Mwari wako nokufamba munzira dzake uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, muchagara zvenyu mugowanda, ipapo Tenzi Mwari wenyu achakukomborerai munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu. Asi iwe ukatsauka zvako nomwoyo wako uchiramba kuteerera uchizokweverwa kundopfugamira vamwe vamwari uchivashandira, ndinokuudzai nhasi uno kuti muchaparadzwa hamuzogara mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu. Denga nenyika ngazvindipupurirewo nhasi uno kwauri kuti ndakuisira uku upenyu, uku rufu uyewo uku chikomborero, uku rushambwa kuti uzvisarudzire. Saka chisarudza upenyu kuti urarame iwe navana vako, ude Tenzi Mwari wako, umuteerere, uti kwati kwati naye nokuti ndiye upenyu hwako nezvo achakupa mazuva mazhinji okuti ugare munyika yakatsidzwa naTenzi kupa madzitateguru ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho.” Zvino Mosesi akaenderera mberi achitaura mazwi aya kuvaIsiraeri vose achiti, “Pari nhasi uno, ndava namakore zana namakumi maviri okuberekwa. Handichakwanisa kumhanya-mhanya nebasa. Tenziwo akanditi, ‘Iwe hauyambuke Jorodhani iyeyu.’ Tenzi Mwari wenyu pachake achakutungamirirai pakuyambuka. Ndiye achakuparadzirai ndudzi idzodzi kuti muvatorere nyika yavo. Joshuwa ndiye achakutungamirirai sokutaura kwakaita Tenzi. Tenzi achaita kwavari zviya zvaakaita kuna Sihoni naOgu madzimambo avaAmori nenyika yavo paakavaparadza. Tenzi achavaisa mumaoko enyu, saka imi itai kwavari zvose zvandakakuudzai kuti muite. Shingai, mutsunge mwoyo, murege kuvatya kana kuvadedera nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye ari kukuperekedzai, haambokufuratirai kana kukusiyai moga.” Mosesi akadaidza Joshuwa pamberi pevaIsiraeri vose akamutaurira achiti, “Shinga utsunge mwoyo, nokuti ndiwe wava kuzoenda navanhu ava munyika yakatsidzirwa madzitateguru avo naTenzi kuti vapiwe. Ndiwe uchavabatsira kutora nyika kuti ive yavo. Tenzi ndiye achakutungamirira, achava newe, haazokufuratira kana kukusiya woga. Usatye kana kuzeza.” Mosesi akanyora mutemo uyu akaupa vapristi, vaRevhi, vaitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, navakuru vakuru vavaIsiraeri. Mosesi akavati, “Pakupera koga koga kwamakore manomwe, panguva yakatemwa yegore rerusununguko pamazuva makuru amatumba, panounganidzana vaIsiraeri vose pana Tenzi Mwari wenyu panzvimbo ichasarudzwa naTenzi, unofanira kuverengera vaIsiraeri vose mutemo uyu vachinzwa. Unganidza vanhu varume navakadzi navana navatorwa vaunenge unavo mumaguta ako kuti vanzwe, vadzidze kuremekedza Tenzi Mwari wenyu, nokunyatsochengeta zvinorehwa nomutemo uyu. Uyewo kuti vana vavo vasingauzivi vaunzwe, vadzidzewo kuremekedza Tenzi Mwari wenyu mazuva ose amuchagara munyika yamuri kuyambukira kundotora kuti ive yenyu kumhiri kwaJorodhani.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chitarisa uone kuti mazuva ako okuti uchifa ava kusvika. Chidaidza Joshuwa muende kutendhe rokusanganira kuti ndimuturire basa.” Mosesi naJoshuwa vakaenda kutendhe rokusanganira. Ipapo Tenzi akazviratidza mushongwe yegore mutendhe iroro. Shongwe yegore iyoyo yakandomira kumusuo wetendhe. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chinzwa, nguva yako yokuti uchizorora namadzibaba ako, vachakabvu, yava padyo. Asi vanhu ava vachasara vopindwa nounzenza hwokundonamata vamwe vamwari venyika dziri kwavari kundogara mukati madzo. Vachasiyana neni vachityora chitenderano changu chandakaitirana navo. Pazuva iroro ndichavavirukira nehasha dzangu. Ndichavasiya ndovafuratira vagoparadzwa. Nhamo namatambudziko zvichavawira zvokuti vachati, ‘Hatina kuwirwa nenhamo idzi here pamusana pokuti Mwari wedu haachisiri pakati pedu?’ Asi ini pazuva iroro ndichanyatsokuvafuratira nokuda kwezvakaipa zvavanenge vaita zvokunamata vamwe vamwari. “Saka zvino chinyora rwiyo urwu, urwudzidzise vaIsiraeri, rugare ruri parurimi rwavo kuti ruve chapupu changu kuvaIsiraeri ivava. Ndinodaro nokuti kana ndavasvitsa munyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi yandakatsidzira madzibaba avo, vadya vakora vachapanduka votevera vamwe vamwari. Ndivo vavachashandira ini vachindishora zvavo, nokutyora chitenderano changu. Kana nhamo namatambudziko zvazovamomotera, rwiyo urwu rwuchamira sechapupu changu kwavari nokuti haruzombobva parurimi rwavana vavo. Ndiri kuziva zvangu zvavari kuronga kuita, izvozvi, ndisati ndavayambutsira munyika yandakavatsidzira.” Saka Mosesi akanyora rwiyo urwu pazuva rakarero akarudzidzisa vaIsiraeri. Ipapo Tenzi akaudza Joshuwa mwana waNuni achiti, “Shinga utsunge mwoyo, nokuti ndiwe uchasvitsa vaIsiraeri munyika yandakavatsidzira. Ini ndichava newe.” Kuzoti Mosesi anyatsopedza kunyora bumbiro rose mutemo uyu mubhuku, akataurira vaRevhi vaitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi achiti, “Torai bhuku romutemo iri muriise parutivi pebhokisi rechitenderano kuti rigarepo sechapupu kwamuri. Ndinodaro nokuti ndinoziva umhandupandu hwenyu, noundambakuudzwa hwenyu. Zvamakatopandukira Tenzi ndichiri mupenyu nemi kudai kokutozoti ndafa! Ndiunganidzirei vakuru vakuru vose vamadzinza enyu, nemakurukota enyu kuti ndivaudze mashoko iwaya vachizvinzwira, ndiite kuti denga nenyika zvive chapupu changu kwavari. Ndinozviziva ini kuti kana ndafa muchasara zvenyu moipa zvokuipa zviya, muchitsauka munzira yandakakuudzai. Asi pamazuva achauya nhamo dzichakuwirai nokuti munenge maita zvakaipa kuna Tenzi muchimushatirisa netwamunobata namaoko enyu.” Mosesi akadetemba mazwi erwiyo urwu kusvikira apedza, gungano rose revaIsiraeri richizvinzwa. Akati, “Matenga we-e teyai nzeve munzwe ndimbotaura newewo nyika teerera unzwe mazwi omuromo wangu. Chidzidziso changu chichaita zvokunaya semvura, nhauro yangu ichinyava pasi sedova, zviite semvura iri kunaya paruswiswi, serupfunhavachembere pazvimerwa zvose, nokuti ndava kuparidza zita raTenzi, nokupembedza ukuru hwaMwari wedu. Iye iDombo chairo kusimba! Pabasa rake hapana chinganatsiridzwe nokuti maitiro ake ane ruenzaniso. Mwari ndiMwari anotendeseka asina chakaipa maari; ndiMwari akarurama, Mwari ari pachokwadi. Asi imi hamuna kutendeseka kwaari, hamukodzeri kuva vanhu vake. Ko ndomatsiviro amungaite Tenzi iwaya here? Imi mazipenzi avanhu, vanhu vasina pfungwa. Ko haasi iye here baba vako, vakakusika? Haasi iye here akaita kuti muve rudzi? Rangarira mazuva aye ekare, uyeuke makore aye ezvizvarwa nezvizvarwa; bvunza baba vako, vachakurondedzera, ubvunzewo vechikuru-chikuru, vachakutsanangurira. Wokumusorosoro paaigovera ndudzi nhaka dzadzo, achipa rudzi norudzi nyika nomuganho wayo; aipa maererano nouwandi hwavatumwa vaMwari. Asi iye Tenzi mugove waakazvisarudzira vanhu vake, Jakobho sorudzi, ndiye nhaka yake. Akamuwana munyika yegwenga, ari murenje riya rinongova maungira oga; Akavaunganidza, akavariritira, achivachengeta sezai regondo. Segondo rinogaririra manyana aro, richibhururuka zvaro nechepamusoro pedendere, richitambanudza mapapiro aro, nokutakura manyana aro, Tenzi pachake akamutungamirira, pasina vamwe vamwari. Akamupa nyika iri pakakwirira, akadya zvirimwa zvomuminda; akamuita kuti asvete zvake uchi hwomudombo, achiwana mafuta parukangarahwe. Kumombe, mukaka wakakora, kune zvimwe zvipfuwo, mukaka chete, vaine hwayana nehondohwe dzakakora, nemombe nembudzi dzokuBhashani, nekoroni ine hura dzakasvika chaizvo, wakanwa mhanga yewaini. Asi Jeshuruni, iwe Isiraeri, wakati wakora, wakatanga kupfacha. Wakati wakora, wafuta zvokupenya muviri, wakafuratira Mwari akakusika ukatsvinyira Dombo, ruponeso rwako. Zvokuva navamwe vamwari zvakamutsa shanje yaMwari, zvakaipa zvavakaita zvakanyandura hasha dzaMwari. Vakapira zvibayiro kumweya yakaipa, kumweya yakaipa isiri mwari kune vamwari vavasingamboziva; vamwari vanonzi vachangosvikawo mazuva ano vasina kana kumboremekedzwa namadzibaba avo. Wakarega kuita hanya naiyeyu Dombo akakubereka, ukakanganwa zvako Mwari akakuumba. Tenzi akazviona akabva achekana ukama navo, nokuti akashatiriswa navana vake vakomana navasikana, akati regai ndivafuratire, ndione kuti pavo pachaperera papi; nokuti chizvarwa chakapanduka, vana vasingatendeseki. Vakandipa kuitira shanje zvinhu zvisiri mwari, vakavirutsa hasha dzangu navamwari vavo vokuveza. Saka ndichaitawo kuti vave neshanje navanhu vasiri rudzi. Ndichavashatirisa norudzi rwamadzenga. Hasha dzangu dzichaita somoto, uchapisa kusvikira pasi pasi munzvimbo yavakafa. Ucharoromesa nyika nezvinhu zvayo. Uchatungidza moto paugaro hwamakomo. Ndichaita kuti nhamo dzivamomotere, miseve yangu ichaperera pavari. Vachasara vaondoroka nenzara, vachaparadzwa nedenda rokupisa muviri. Vachapera nezvirwere zvinouraya, ndichavatumira zvikara zvinoruma; nenyoka dzinozvongonyoka napasi dzine uturu. Pachena zvapo chaipo bakatwa, richaita kuti vapinde nhamo mudzimba umu kuchingova kutya koga koga. Nhamo iyoyo haina waichasiya ari mupenyu, jaya kana mhandara, mucheche nowachena musoro. Ndakazviti regai ndivamwararitsire kure kure, pasave naanovayeukazve mukati mavanhu. Asi ndakazeza zvangu kuzvikudza kwaizoita vavengi vavo, vofunga kuti, ‘Takavakurira nesimba redu pachedu.’ Vachiti, ‘Tenzi haasiri iye akaita zvose izvi, asi kuti isu nesimba redu ndisu takakurira.’ “Nokuti vanhu ivava rudzi rwakatenderera musoro, vanhu vasinganzwisisi. Dai vakachenjera vangadai vakanzwisisa izvi, vangadai vakaziva kuti izvozvi zvichavasvitsa kupi. Ko munhu mumwe angadzinge sei chiuru chavanhu? Ko vanhu vaviri vangakwanise kudzinga gumi rezviuru zvevanhu here? Zvingaitike chete kana iye Dombo ravo avaisa mumaoko evavengi vavo; uyewo kana Tenzi avaramwira mumaoko avavengi vavo. Nokuti iye dombo ravo akasiyana naMwari Dombo redu kana vavengi vedu vanotonyatsozviona. Vanhu ivava vakaromba mbeu dzomugirepisi younzenza kuSodhomu, neyokuminda yeGomora. Magirepisi avo muchetura chaiwo, zvisumbu zvemagirepisi avo indye chaiyo kuvava. Waini yavo ichepfu yenyoka chaiyo, uturu chaihwo hwemhakure. Heya munoti izvozvi handina kuzvichengeta mudura remwoyo wangu here, ndikanyatsozvipfundira? Kutsiva ndokwangu, kudzosera ndokwangu. Nguva ichasvika yokuti rutsoka rwavo rwutsvedzemuke, nokuti zuva renjodzi yavo rava kusvika, kuparara kwavo kuchaitika nokukurumidza. Asi Tenzi achanunura vanhu vake, achanzwira tsitsi varanda vake, vakatapwa kana vasina paanenge aona kuti varukutika havachisina simba, havachaziva chokuita. Ndopaachati, ‘Ko vamwari vavo varipiko, dombo ravoka ravaipotera naro;’ vamwari vaidya mafuta ezvibayiro zvavo, vachinwa waini yemipiro yezvokunwa? Ngavachisimukaka vakubatsire, ngavachikudziviriraka! Zvino chizivai kuti Ini Iyeni pano ndini iye. Hakuna mumwe mwari kunze kwangu. Ndini ndinouraya, uye ndini ndinopa upenyu. Ndinokuvadza uye ndinoporesa, hakuna anganunure chinhu chiri mumaoko angu. Ndinosumudza ruoko rwangu kudenga ndichiti, ‘Chokwadi ndinopika neni pachangu, ini Mwari mupenyu.’ Pandicharodza bakatwa rangu rinohwituka kupenya, ndinenge ndongoda kuona kuti ruenzaniso rwaitwa here! Ndichatsividza vavengi vangu, ndigoranga vanondivenga. Ndichaita kuti miseve yangu iyerere ropa, renhapwa nerevanenge vaurayiwa, vakuru vakuru vanondivenga, bakatwa rangu richivaita kanyama kanyama. Imi ndudzi dzose pemberai mufare navanhu vaMwari, nokuti achatsividza ropa ravaranda vake. Achatsiva vavengi vake, nokuchenura nyika yavanhu vake.” Mosesi akauya akadetemba mazwi ose erwiyo urwu vanhu vachizvinzwa, aiva naJoshuwa mwanakomana waNuni. Mosesi paakapedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsiraeri vose akati, “Pfundirai mumwoyo yenyu mashoko ose aya andakupai nhasi uno kuti muti vana venyu vanyatsochengeta zvose zvinorehwa nomutemo uyu. Ndinodaro nokuti haasi mashoko asina maturo, asi ndiwo upenyu hwenyu. Mashoko iwaya ndiwo achakuraramisai kwenguva ndefu munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu.” Musi iwoyo Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chienda kumakomo eAbharimu ari munyika yeMoabhu, undokwira mugomo reNebho, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKanani yandiri kupa vaIsiraeri kuti ive yavo. Uchandofira ikoko mugomo raunenge wakwira, uchienda zvako kune hama dzako vashakabvu, sezvakaita mukoma wako Aroni akafira mugomo reHoru akaenda kwakaenda vamwe vokwake, nokuti hamuna kuvimba neni pane vanhu paye pamvura yeMeribha kuKadheshi murenje reZini. Hamuna kundieresa pakati pevaIsiraeri. Naizvozvo uchaona nyika iyoyo iri mhiri, asi hausiri kuzondopinda munyika yandiri kupa vaIsiraeri.” Ichi ndicho chikomborero chakakumbirirwa vaIsiraeri naMosesi munhu waMwari asati afa. Akati; “Tenzi akabva kuSinai akanyuka patiri achibva Seiri. Akazviratidza ari paGomo reParani. Akanga ane zviuru nezviuru zvevatsvene, kurudyi kwake kuine rimi romoto. Honguka Tenzi anoda vanhu vake. Vose vatsvene vaiva muruoko rwake, saka vakatevera mutsoka dzake, zvokuita vachitozvitaurirwa nemi. Mosesi akatipa mutemo, ndiyo nhaka yemhuri yaJakobho. Naizvozvo Tenzi akava mambo muIsiraeri, muJeshuruni, paye pakaungana vatungamiriri vavanhu, pamwechete namadzinza aIsiraeri. “Rubheni ngaararame arege kufa, kunyange vanhu vake vachiverengeka zvavo.” Akakomborera Judha achiti, “Tenzi inzwai waro chichemo chaJudha. Mumuunze kwakare kuvanhu vokwake. Murwirei imi Tenzi noruoko rwenyu.” Revhi akamukomborera achiti, “Ipai Tumimu neUrimu kuvaRevhi, vanhu venyu vakatendeka vamakaedza paMasa vamakaita mapitse navo pamvura yepaMeribha. Pakuchengeta chirevo chenyu nechitenderano chenyu havana kumbokatara kuti ava ndiamai kana baba vavo kana zvokuti ava vakoma kana vanun'una vavo kunyange vana vavo chaivo. Vachadzidzisa mhuri yaJakobho mirao yenyu, vachidzidzisa mhuri yaIsiraeri mutemo wenyu. Vachapisira rusenzi imi Mwari, vachikupirai chibayiro chinopiswa chose zvacho paatari. Tenzi komborerai dzinza rake kuti risimbe, mufadzwe nebasa ramaoko ake; mutyore misana yavavengi vake, vavengi vake varege kumukazve.” Akakomborera Bhenjamini achiti, “Iri ndiro dzinza raTenzi repamwoyo, muswerandakaringa wake chaiye. Anomuchengeta sezai regondo, asingambosuduruki zvake pakati pavo.” Akakomborera Josefi achiti, “Nyika yake ngaikomborerwe naTenzi, matenga ngaamupe mvura inonaya zvakanaka, neimwe inobvinina ichibva pasi. Ngaawane zvose zvakanaka zvinoibviswa nezuva, nezvinoibva mwedzi nomwedzi. Ngaawane gomborero remichero yokutanga mumakomo ekare, zvakanakisisa zvechinyakare. Ngaakomborerwe nezvose zvakanyanya kunaka zvinowanika panyika. Mwoyochena wouya aitaura ari mugwenzi. Makomborero aya ngaadurururukire pana Josefi, nokuti aiva mutungamiriri pakati pavakoma vake. Achava mukono wenzombe pakati pavo, nyanga dzake dzichinge dzenyati, imwe yacho ndizvo zviuru nezviuru zvedzinza raManase, imwe yacho ndiwo mazana akazanirana edzinza raEfuremu; nadzo achatunga marudzi avanhu kusvikira kwakaperera nyika.” Akakomborera Zebhuruni achiti, “Zebhuruni pembera ufare zvako pane zvaunoita, newewo Isakari fara zvako uri pamatendhe ako. Vachakokera ndudzi dzavanhu kugomo, kuzopira zvibayiro zviri pamutemo, nokuti vachawana upfumi huzhinji hwomugungwa, noupfumi hwuzhinji hwakavanzwa mujecha.” Akakomborera Gadhi achiti, “Akakomborerwa zvake Gadhi akawana nyika huru! Achagaramo akati hwatata seshumba, achibvambura ruoko nokutsemura dehenya. Akazvisarudzira pachake nyika yakanakisisa, yakanga yakachengeterwa mutungamiriri wehondo; akauya somutungamiriri wavanhu, achinyatsochengeta zvirevo nemitemo yaTenzi navaIsiraeri.” Akakomborera Dhani achiti, “Dhani mwana weshumba chaiye anoita zvokuuruka achibva kuBhashani.” Akakomborera Nafutari achiti, “Nafutari akagutsikana nomwoyochena waakaitirwa, azere namakomborero aTenzi; gungwa nenyika yokumaodzanyemba ndezvake.” Akakomborera Asheri achiti, “Asheri ngaakomborerwe kupfuura mamwe madzinza ose. Ngaave wapamwoyo kuvakoma navanun'una vake aite mafuta okutsika netsoka. Zvihuri zvapamisuo yako ngazvive zvesimbi nezvomundarira kusimba, urarame upenyu hwako hwose uri chirambakusakara. Chinzwa Isiraeri, iyewe Jeshuruni, hakuna mumwe akaita saMwari anofamba nomumatenga, anofamba nechiremera chake nomumakore kuzokubatsira. Mwari, Nyakugaraaripo ndiye bako rako, anokutakura mumaoko ake nokusingaperi. Anofanokudzingira vavengi vako achiti, ‘Vaparadze.’ Saka Isiraeri agere zvake murugare oga, vana vaJakobho vagere zvavo pavo voga, munyika yomaguta embesa newaini, ina matenga anonayisa dova. Zvako iwe Isiraeri wakakomborerwa! Ndianiwo zvake angaenzaniswe newe, rudzi rwakaponeswa naTenzi ndiye nhoo yako inokubatsira, ndiye bakatwa rinokuita kuti ukunde. Vavengi vako vachauya vachiteterera kwauri. Nzvimbo dzavo dzakatunhumara dzokuteurira uchaita zvokudzitsikirira zvako.” Mosesi akabva mumapani eMoabhu akaenda kumakomo eNebho akandokwira pamusoro peGomo rePisiga rakatarisana neJeriko. Tenzi ndokumuratidza nyika yose iyoyo kubvira kuGireadhi kusvikira kwaDhani, naNafutari yose nenyika yose yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha kusvikira kuGungwa rokumadokero nokuNegevhu, nebani reJeriko, guta remiti yemirara kudzamara kuZoari. Tenzi akamutaurira achiti, “Ndiyoyi nyika yandakatsidzira vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako. Ndati uione nameso ako, asi hausiri kuzoyambukirako.’ ” Naizvozvo Mosesi muranda waTenzi akafira ikoko munyika yeMoabhu sokureva kwaTenzi. Akamuviga mubani munyika yeMoabhu pakatarisana neBhetipeori. Asi hakuna anoziva nzvimbo yaakavigwa kusvikira nhasi uno. Mosesi akafa ava namakore zana namakumi maviri. Muviri wake wakanga uchakagwinya, maziso ake achinyatsoona zvakanaka. VaIsiraeri vakachema Mosesi kwamazuva makumi matatu mumapani eMoabhu kusvikira nguva yokuchema nhamo yorufu rwake yapera. Zvino Joshuwa mwanakomana waNuni aiva azere nomweya woungwaru nokuti Mosesi akanga aisa maoko ake pamusoro wake. VaIsiraeri vaimuteerera vachiita zvakanga zvataurirwa Mosesi naTenzi. Hakuna kana kuzomuka muporofita muIsiraeri akaita saMosesi aizivana naTenzi uso nouso, kana totarisa zviratidzo nezvishamiso zvakatumwa Mosesi naTenzi kundoita munyika yeIjipiti kuna Farao, nokumakurukota ake, nokunyika yake yose. Uye kana totarisawo masimba makuru aaiva nawo namabasa makuru anotyisa akaitwa naMosesi vaIsiraeri vose vachiona. Kuzoti Mosesi muranda waTenzi afa, iye Tenzi akataurira Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi achiti, “Muranda wangu Mosesi akafa saka iwe, chisimuka uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende munyika yandiri kupa vaIsiraeri ivava. Pose zvapo pamuchatsika norutsoka rwenyu, ndinokupai sokutsidza kwandakaita kuna Mosesi. Kubvira kurenje kusvikira kuRebhanoni uku, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi nenyika yose yavaHiti kusvikira kugungwa guru rokumadokero, ndiyo ichava nyika yenyu. Hakuna achagona kumirisana newe, mazuva oupenyu hwako hwose. Ndichava newe sezvandaingoita naMosesi. Handimbokusiyi uri woga, kana kukurega uchikundikana. Shinga, utsunge mwoyo nokuti ndiwe uchaita kuti vanhu ava vagare nhaka yenyika yandakatsidza kumadzibaba avo kuvapa. Chako iwe chete kushinga mwoyo nokuva nomwoyo wechivindi chaiwo, uchenjerere kuita zvose maererano nomutemo wawakaudzwa naMosesi muranda wangu. Usawane chimwe chaunotsaudzira pauri uchienda uku kana uku, kuti unyatsobudirira kwose kwaunoenda. Bhuku romutemo iri ngarirege zvaro kumbobva pamuromo pako, ufungisise zviri mariri siku nesikati, kuti unyatsoita maererano nezvose zvakanyorwamo, ndopazvichakufambira zvakanaka ugonyatsobudirirawo. Handiti ndakuudza kuti shinga utsunge mwoyo. Usambotya zvako, kana kuzeza nokuti Tenzi, Mwari wako achava newe kwose kwauchaenda.” Joshuwa akataurira vatungamiriri vavanhu achiti, “Endai mutevedze nomumatendhe muchiudza vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu nokuti mushure memazuva matatu muchayambuka Jorodhani muchindotora nyika yamuri kupiwa naTenzi, Mwari wenyu kuti ive yenyu.’ ” Joshuwa akataurira vedzinza rokwaRubheni neraGadhi nechikamu chepakati napakati chevedzinza rokwaManase achiti, “Yeukai zvamakaudzwa naMosesi, muranda waTenzi achiti, ‘Tenzi, Mwari wenyu ari kukupaiwo pokugara uye kuti ari kukupai nyika iyi. Madzimai nepwere dzenyu vachasara pamwechete nemombe dzenyu munyika ino yamakapiwa naMosesi kumabvazuva kwaJorodhani. Asi varwi venyu vose vachayambuka, vakapakata zvombo zvokurwa, vatungamire mberi kwehama dzenyu, muvabatsire, kudzamara Tenzi apawo hama dzenyu pokugara, sezvaakakuitiraiwo imi, vandotorawo nyika yavari kupiwa naTenzi Mwari wenyu. Ndopamungazodzokawo zvenyu mogara munyika yenhaka yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waTenzi, kumhiri kwaJorodhani kunobuda nezuva moiita yenyu.’ ” Ivo vakati kuna Joshuwa, “Zvose zvamatiudza, ndozvatichaita, kwose kwamunotituma tinoenda. Sokuteerera kwataingoita Mosesi pazvinhu zvose, ndokuteerera kwatichakuitaiwo. Chete, dai Tenzi, Mwari wenyu angovawo nemi sezvaiita naMosesi! Ani naani zvake anopanduka achiramba zvamunenge mareva, kana asingateereri zvamunomuudza, chingave chii zvacho chamunenge mamutemera kuita, ngaaurayiwe. Chenyu imi rambai makashinga, makatsunga mwoyo.” Joshuwa, mwanakomana waNuni, akatuma varume vaviri vachibva kuShitimu kundosora muchiverevere achiti, “Endai mundoongorora nyika iyo, zvikurukuru muongorore Jeriko.” Vakaenda, vakasvikira mumba mepfambi yainzi Rahabhu, vakararamo. Mambo weJeriko akataurirwa kuti, “Kune vamwe varume vechiIsiraeri vauya muno kuzosora nyika ino.” Ipapo mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rahabhu rokuti, “Buritsa varume vauya kwauri vapinda mumba mako nokuti vauya kuzosora nyika yose.” Asi mukadzi uyu akatora varume ava akavahwandisa akati, “Ichokwadi, varume ivavo vauya kwandiri, asi handina kuziva kwavanobva nako. Kuzoti kwasviba, tave kupfiga suo guru reguta, varume ivavo vabva vaenda. Zvino handisi kuziva kwavaenda nako. Vateverei nokukurumidza, munotovabata.” Asi iye akanga avakwidza padenga remba akavahwandisa mumashanga efurakisi aakanga arongerera pamusoro pemba. Saka varume vaya vakabvapo vachironda vasori vaya, vakaenda nenzira yokunaJorodhani vakasvika kumazambuko. Pavakangoti budeimo, suo guru reguta rakabva rapfigwa. Vasati vavata, mukadzi uyu akakwira padenga pavaiva vari, akati kuvarume ivavo, “Chandinoziva ndechokuti, Tenzi akakupai nyika ino uye tiri kukutyai chaizvo, vanhu vose vomunyika ino vari kukutyai. Chandinodariro ndechichi chokuti, takanzwa zvokuomesa kwakaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naTenzi mberi kwenyu pamaibva kuIjipiti, tikanzwawo zvokuparadza kwamakaita Sihoni naOgu, madzimambo maviri avaAmori, kumhiri kwaJorodhani. Patakazvinzwa takadedera, tikarasa mwoyo pamusana penyu nokuti Tenzi, Mwari wenyu ndiye Mwari kudenga kumusoro, napanyika pasi pano. Saka chinditsidziraiwo mupike naTenzi kuti zvandakuitirai mwoyochena, imi muchaitirawo vemba yababa wangu mwoyochena, mundipe chiratidzo chinovimbika chemhiko iyoyo. Tsidzai kuti muchararamisa baba naamai vangu, nehanzvadzi, uye vakoma navanun'una vangu, navose vemhuri dzavo, mutinunure kurufu.” Varume ava vakapika vachimutsindidzawo kuti, “Tinosarudza zvedu kufa pane kuti imi mufe! Kana mukarega kuudza vanhu nezvenyaya yedu, tichakuitirawo mwoyochena tichichengeta shoko redu kwamuri patichapiwa nyika ino naTenzi.” Mukadzi uyu akavaburitsa napawindo, akavadzikisa pasi netambo nokuti imba yake yakanga yakavakirwa murusvingo rweguta iri, saka aitogara murusvingo chaimo. Mukadzi uyu akavati, “Endai kumakomo kuti murege kuwanikwa novokuronda. Vandai ikoko kwamazuva matatu kusvikira vokuronda vacho vadzoka mozoenda zvenyu.” Varume ava vakamuti, “Hatimbokunyengedza pamhiko yawatipikisa. Chinzwa kana tava kuzopinda munyika ino sungirira kamucheka katsvuku aka pawindo paunotiburitsa napo uchitidzikisa pasi. Unganidza vana baba naamai vako, nehanzvadzi dzako nemhuri yose yababa wako, mumba mako. Kuwana anobuda mumba mako imomo achitoenda zvake panze munzira, rufu rwake ndorwokuzviparira, haizovi mhosva yedu. Asi kana kukangourayiwa ani zvake anenge anewe mumba mako, mhosva ndeyedu. Asi ukangoudza munhu nezvenyaya yedu iyoyi, zvemhiko yako iyi zvatibva, haichatisunga.” Mukadzi akapindura achiti, “Ndizvozvo, ngazviitwe saizvozvo.” Ndokubva avarega voenda zvavo, iye ndokusungirira kamucheka katsvuku kaya pawindo. Varume ava vakabvapo, vakananga kumakomo vakagarako mazuva matatu kudzamara vaivaronda vadzoka, vakanga vavatsvaka munzira yose vakavashaya. Varume vaviri vaya vakaburuka mumakomo, vakayambuka, vakasvika kuna Joshuwa mwanakomana waNuni, vakamuudza zvose zvavakasangana nazvo. Vakataurira Joshuwa vachiti, “Chokwadi chaicho ndechokuti, Tenzi atoisa nyika iyoyo mumaoko edu, vose vageremo vapera nokutitya.” Joshuwa akafumomuka mangwanani akasimuka kuShitimu akaenda kuna Jorodhani pamwechete navaIsiraeri vose, vakambogarapo vasati vayambuka. Kwakati kwapera mazuva matatu, vatungamiriri vakapinda mumatendhe, vachiudza vanhu vachiti, “Kana mukaona vapristi, vaRevhi vatakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari wenyu, imiwo ibvai masimuka mubve pamunenge muri muritevere, ndokuti muzive kwokuenda nako nokuti hamusati mambosvika nokuno. Chiripo chete ndechokuti pakati penyu naro panofanira kuva nechinhambwe chekiromita rimwechete, musasvike pedyo naro.” Joshuwa akataurira vanhu achiti, “Zvichenurei nokuti mangwana Tenzi achaita zvinhu zvinoshamisa pakati penyu.” Joshuwa akataurira vapristi achiti, “Chitakurai bhokisi rechitenderano mutungamirire vanhu muende mberi kwavo.” Vakatakura bhokisi rechitenderano vakatungamirira vanhu. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Ndichatangisa nhasi uno kukusimudzira pamusoro mukati mavaIsiraeri vagoziva kuti ndinewe sezvandaingova naMosesi. Udza vapristi vanenge vakatakura bhokisi rechitenderano kuti pavanosvika kumahombekombe kwaJorodhani, vamire vakati dzororo muna Jorodhani.” Joshuwa akataurira vaIsiraeri achiti, “Uyai kuno munzwe zvarehwa naTenzi Mwari wenyu.” Joshuwa akati, “Mwari mupenyu, ari pakati penyu uye haambokundikani kukudzingirai vaKanani navaHiti navaHivhi navaPerizi navaGirigashi navaAmori navaJebhusi. Zvamuchazviziva nazvo ndezvizvi zvokuti: bhokisi rechitenderano raTenzi wepasi pose richakutungamirirai kuyambuka Jorodhani. Saka chisarudzai varume gumi navaviri, mumadzinza ose avaIsiraeri, murume mumwechete panzinza roga roga. Tsoka dzavapristi vanenge vakatakura bhokisi raTenzi, Tenzi wepasi pose padzichatsika mumvura yaJorodhani, mvura iyoyo yaJorodhani ichaganhuka kuerera mvura, inenge ichierera ichibva kumusoro ichaita murwi kumira.” Naizvozvo vanhu pavakasimuka paiva namatendhe avo, vachindoyambuka Jorodhani vakatungamirirwa mberi kwavo navapristi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano. Jorodhani urwu runozara mhiri nemhiri panguva yose yokukohwa. Vaprisiti vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano pavakasvika pana Jorodhani, tsoka dzavo padzakangoti tsikei mumvura, mvura yaibva nechokumusoro kwarwo yakati murwi tuku ndokusundana yakati fuse fuse kusvikura kuAdhamu, guta riri pedyo neZaretani. Mvura iya yaierera ichidzika narwo ichienda kugungwa reArabha, gungwa romunyu, yakabva yanyatsopararaniswa, vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko. Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano vakanyatsomira zvavo pasi pakaoma, pakati paJorodhani, vaIsiraeri vose vachivapfuura kusvikira rudzi rwavo rwose rwayambuka napakaoma. Vanhu vose pavakapedza kuyambuka Jorodhani, Tenzi akati kuna Joshuwa, “Sarudza varume gumi navaviri muvanhu, murume mumwechete padzinza, uvati, ‘Torai mabwe gumi namaviri apano apa pakati paJorodhani panga pamire vapristi chaipo, muatakure muende nawo, mundoaisa pamucharara usiku hwanhasi.’ ” Joshuwa akadaidza varume gumi navaviri muvaIsiraeri, vaakanga asarudza achitora murume mumwechete padzinza. Zvino Joshuwa akati kwavari, “Endai mberi kwebhokisi rechitenderano chaTenzi Mwari wenyu, pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu atore ibwe aritakure papfudzi rake, maererano nouwandi hwamadzinza avaIsiraeri. Itai izvozvi kuti chigova chiratidzo; pakati penyu chokuti mangwana, kana vana venyu vobvunza kuti, ‘Ko kwamuri imi mabwe ayo anorevei’? Imi muvataurire kuti, ‘Mvura yaJorodhani yakamboganhurwa pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano pakuyambuka kwarakaita Jorodhani. Mvura yaJorodhani yakaganhurwa. Saka mabwe iwaya achava chiyeuchidzo kuvaIsiraeri nokusingaperi.’ ” Saizvozvo vaIsiraeri ivavo vakaita zvavakaudzwa naJoshuwa. Vakatora mabwe gumi namaviri pakati paJorodhani maererano nouwandi hwamadzinza avaIsiraeri sokuudziwa kwakaitwa Joshuwa naTenzi. Vakaatakura vakayambukira nawo kwavakandorara, vakaaisa ikoko. Joshuwa akarongawo mabwe gumi namaviri pakati paJorodhani, pakanga pamire vapristi paya, vainge vakatakura bhokisi rechitenderano. Mabwe iwayo achiripo nanhasi uno, nokuti vapristi vainge vakatakura bhokisi rechitenderano vakaramba vamire pakati paJorodhani kusvikira zvose zvakanga zvaudzwa Joshuwa naTenzi kuti ataurire vanhu zvapera kuitwa, maererano nezvose zvakanga zvaudzwa Joshuwa naMosesi. Vanhu vakaita chipitipiti kuyambuka. Kuzoti vanhu vose vapedza kuyambuka, vapristi vakayambukawo nebhokisi rechitenderano vanhu vachiona. Vedzinza rokwaRubheni nevokwaGadhi nechikamu chapakati napakati chevedzinza rokwaManase vakayambuka vakapakata zvombo zvehondo vari mberi kwavaIsiraeri, sokuudzwa kwavakanga vaitwa naMosesi. Kwakayambuka zviuru zvinenge makumi mana zvavanhu vakanga vakapakata zvombo zvehondo pana Tenzi vakandosvika kumapani eJeriko. Musi iwoyo Tenzi akasimudzira Joshuwa pamusoro vaIsiraeri vose vachiona, vakamuremekedza sokuremekedza kwavaiita Mosesi upenyu hwake hwose. Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Chiudza vapristi vakatakura bhokisi rechitenderano vachibuda muna Jorodhani.” Saka Joshuwa akati kuvapristi, “Chibudai muna Jorodhani!” Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano pavakakwira vachibva muna Jorodhani, pavakangoti simudzei tsoka dzavo vachitsika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani yakabva yadzokera pakare ikafashukira mhiri nemhiri sezvayakanga yakaita. VaIsiraeri vakabuda muna Jorodhani pazuva rechigumi romwedzi wokutanga, vakandodzika matendhe avo vava kuGirigari, kumuganhu wokumabvazuva weJeriko. Joshuwa akaronga matombo gumi namaviri iwayo avakatora muna Jorodhani kuGirigari. Akataurira vaIsiraeri kuti, “Kana mangwana, zvizukuru zvenyu zvozobvunza madzibaba azvo kuti, ‘Matombo aya anorevei?’ Ipapa izotaurira vana venyu kuti, ‘VaIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu napakaoma.’ Ndinodaro nokuti Tenzi, Mwari wenyu akakuomeserai mvura yaJorodhani kusvikira mayambuka, sezvakaitawo iye Tenzi, Mwari wenyu kugungwa Dzvuku raakatiomesera kusvikira tayambuka, kuitira kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzigoziva kuti Tenzi ane simba guru kwazvo, uyewo kuti mutye Tenzi Mwari wenyu wose narini narini.” Madzimambo ose avaAmori akanga ari kumhiri kwaJorodhani nechokumadokero, namadzimambo ose avaKanani aigara munyasi megungwa, pavakanzwa kuti Tenzi akaomesera vaIsiraeri mvura yaJorodhani kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakati papata nokutya, vakapererwa nesimba pamusana pavaIsiraeri. Panguva iyoyo Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Gadzira mapanga amabwe omusarara udzingise vaIsiraeri zvakare.” Saka Joshuwa akagadzira mapanga amabwe egwenya, ndokudzingisa vaIsiraeri kuGibheatihaararoti. Chikonzero chokuti Joshuwa avadzingise ndechokuti, pavanhu vose vakabuda muIjipiti vechirume, varwi vose vehondo vakanga vatofira murenje vachiri murwendo, vabva kuIjipiti. Kunyange zvazvo vanhu vose vakabuda muIjipiti vakanga vadzingiswa, asi vanhu vose vakaberekerwa munzira murenje vabva kuIjipiti vakanga vasina kudzingiswa. Zviripo ndezvokuti vaIsiraeri vakafamba murenje kwamakumi mana amakore kudzamara vanhu vose ivavo varwi vehondo vakanga vabva kuIjipiti vaparara nokuti havana kuteerera Tenzi. Tenzi akavapikira kuti havazombofa vakaona nyika iyoyo yakatsidzwa naiye Tenzi kumadzibaba avo kuti tizopiwa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi. Saka vana vavo, vaakaisa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshuwa. Vakanga vari vanhu vasina kudzingiswa nokuti vakanga vasina kudzingiswa munzira. Vanhu vose pavakapedza kudzingiswa vakambogara munzvimbo dzavo, mumatendhe imomo kusvikira vapora. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Nhasi uno ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwenyu kwokuIjipiti.” Ndosaka zita renzvimbo iyoyo richinzi Girigari kusvikira pari nhasi. VaIsiraeri pavakanga vakadzika matendhe avo kuGirigari, vakadyirapo Pasika pazuva regumi nechina remwedzi iwoyo kumanheru mumapani eJeriko. Mangwana acho, pasika yapera pazuva rimwechetero vakadya zvirimwa zvenyika iyoyo, chingwa chisina mbiriso nembesanwa dzakakangwa. Rava ramangwana acho, zvemana zviya zvakabva zvapera, pavakadya mbesa dzenyika iyoyo. VaIsiraeri havana kuzopiwa mana zvakare, asi vakadya zvirimwa zvenyika yeKanani mugore iroro. Joshuwa paakanga ava pedyo neJeriko, akatarisa akaona mumwe murume amire mberi kwake muruoko rwake aiine bakatwa rakazvomhorwa muhara. Joshuwa akamuvinga akamuti, “Ko iwe uri wedu here, kana kuti uri mumwe wavavengi vedu?” Iye akati, “Kwete. Asi ndauya somutungamiriri wehondo yaTenzi.” Ipapo Joshuwa akati pasi zvambarara, achimuremekedza achiti, “Changamire, chiiko chamunoda kutaura neni muranda wenyu?” Mutungamiriri wehondo yaTenzi akati kuna Joshuwa, “Bvisa shangu mutsoka dzako nokuti paumire inzvimbo inoera,” Joshuwa ndokuita saizvozvo. Guta reJeriko rakanga ranyatsonzi ndendende kupfigwa mukati nokunze pamusana pavaIsiraeri. Hakuna aibudamo kana kupindamo. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Chinzwa, ndaisa Jeriko mumaoko ako zvose namambo waro navarwi varo vehondo vakasimba. Varwi vose vehondo munofanira kufamba muchitenderera guta irori, muritenderere kamwechete. Ndozvamuchaita kwamazuva matanhatu. Vapristi vanomwe vachange vane hwamanda dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi rechitenderano. Pazuva rechinomwe forai muchitenderera guta irori kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda. Pavanozoti rebesei kuridza hwamanda yorunyanga rwehondohwe pamunongonzwa hwamanda iyoyo, vanhu vose ngavazhambe nezwi guru. Rusvingo rweguta iri ruchakoromokera pasi kuti warara, munhu wose ngaabva ati karakata napakanangana naye.” Joshuwa mwanakomana waNuni akadaidza vapristi akavati, “Takurai bhokisi rechitenderano, vapristi vanomwe vatakure hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi raTenzi.” Akati kuvanhu, “Chifambai muchitenderera guta iri, varume vakapakata zvombo zvehondo vaende mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano.” Joshuwa paakaudza vanhu izvozvo, vapristi vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe dziya pana Tenzi vakatungamira vachiridza hwamanda idzodzo vachiteverwa nebhokisi raTenzi rechitenderano. Varume vakanga vakapakata zvombo vakaenda pamberi pavapristi vairidza hwamanda, shure kwebhokisi rechitenderano kwaiteverawo vamwe vokuchengetedzako iyo hwamanda ichingodandaura chete. Asi Joshuwa akayambira vanhu achiti, “Musambozhamba zvenyu kana kuwana mumwe wenyu anoti chwe kana kuti zvako muromo bufu kusvikira musi wandichakutii zhambai. Ndopamuchazhamba ipapo.” Saka aiti bhokisi raTenzi ritenderere guta iroro kamwechete vachidzokera zvavo kumatendhe kundorara pamatendhe. Joshuwa aifumomuka rungwanani, vapristi votakura bhokisi raTenzi rechitenderano, vapristi vanomwe vaya vehwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe, vaienda mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano, vachingoridza chete hwamanda. Varume vainge vakapakata zvombo zvehondo vaifamba vari mberi kwavo, shurewo kwebhokisi raTenzi rechitenderano kuchitevera vokuchengetedza shure, iyo ngondo yehwamanda ichingodandaura chete. Nezuva rechipiri vakafamba vachitenderera guta iroro kamwechete, vakadzokera kumatendhe. Ndozvavakaita kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe vakamuka mambakwedza, vakafamba vachitenderera guta irori sezvavaichiita zvimwechetezvo kanomwe. Asi musi iwoyu chete ndiwo wavakatenderera guta iri kanomwe. Vakati zvino vatenderera kechinomwe, vapristi varidzawo hwamanda, Joshuwa akati kuvanhu “Daidzirai nokuti Tenzi aisa guta irori mumaoko enyu. Guta rose nezvose zviri mariri zvaturirwa kuna Tenzi kuti zviparadzwe kuna Tenzi kusiya chete Rahabhu, pfambi iya pamwechete navose vaanavo mumba make, ndivo vachararama nokuti akahwandisa vasori vaya vatakatuma. Asi siyanai zvenyu nezvinhu zvaturirwa kuparadzirwa Mwari imi mambozviturira kuparadzirwa Mwari mungadaro mukatora chinhu chipi nechipi chakadai, gungano ravaIsiraeri rikavawo chinhu chakaturirwa kuparadzirwa Mwari, mutiunzire nhamo. Asi sirivha yose yomo nendarama, nemidziyo yendarira neyesimbi zvava zvinhu zvinoera zvaTenzi, ngazviiswe munochengeterwa upfumi hwaTenzi.” Saka vanhu vakazhambarara, iyo hwamanda yichiridzwa. Vanhu pavakangonzwa kurira kwehwamanda vakazhambarara zvikuru, rusvingo rukakoromokera pasi rukati warara, vanhu vose vakati karakata kupinda muguta nepakanangana naye, vakabva vakurira guta irori. Vakaparadza zvose zvomuguta iroro nebakatwa, zvose zvazvo varume navakadzi, vakuru navaduku, nemombe nehwai namadhongi. Joshuwa akati kuvarume vaviri vaya vaakatuma kundosora nyika, “Endai mumba mepfambi iya muburitse mukadzi iyeyo navose vokwake, sokutsidza kwamakaita kwaari.” Saka majaya akambouya kuzosora aya akapindamo akaburitsa Rahabhu nababa vake naamai vake nehanzvadzi dzake navose vokwake nehama dzake dzose, akavapa pokugara kunze kwamatendhe avaIsiraeri. Vakaroromesa guta iroro nomoto nazvose zvaivamo. Asi sirivha nendarama nemidziyo yendarira neyesimbi, vakazviisa munochengeterwa upfumi hwemba yaTenzi. Joshuwa akararamisa Rahabhu, pfambi iya, nevemhuri yababa wake navose vokwake, nanhasi uno mukadzi iyeyu agere mukati mavaIsiraeri nokuti akahwandisa nhume dzakanga dzatumwa naJoshuwa kundosora Jeriko. Panguva iyoyo Joshuwa akayambira vanhu achiti: “Munhu achasimuka zvake ovaka guta iri reJeriko, Tenzi ngaamuone. Kuchera kwake ugaro hwaro, kutange norufu rwomwanakomana wake wedangwe. Kumiswa kwemisuo yaro kupere nokufa, kunyangwe kwomwanakomana wake wegotwe.” Saka Tenzi akava naJoshuwa, mukurumbira wake ukapararira nenyika yose. Asi vaIsiraeri havana kuva vanhu vakatendeka panyaya yezvinhu zvakaturirwa kuparadzirwa Mwari. Chakaitika ndechokuti, Akani mwanakomana waKarumi, muzukuru waZabhudhi, mwanakomana waZeraha, wedzinza rokwaJudha akatora zvimwe zvinhu pazvinhu zviya zvakanga zvaturirwa kuparadzirwa Mwari, hasha dzaTenzi dzikavirukira vaIsiraeri. Joshuwa akatuma vamwe varume vachibva kuJeriko kuenda kuAi, guta riri pedyo neBhetihavheni nechokumabvazuva kweBheteri, akavati, “Kwirai uku mundosora nyika.” Varume ivavo vakakwira ikoko, vakasora guta reAi. Vakadzoka kuna Joshuwa vakati kwaari, “Regai kuti vanhu vose vakwireko, ingotii chete varume zviuru zviviri kana zvitatu vakwire ikoko, varwise guta reAi. Regai zvenyu kutambudza vanhu nokuendesa vose ikoko nokuti vanhu voko vashoma.” Saka vanhu vainge zviuru zvitatu vakabva mugungano vakaendako. Asi vakamhanyiswa navarume vokuAi. Varume vokuAi vakauraya ainge makumi matatu avanhu ane vanhu vatanhatu. Vakadzingirirana kubvira pasuo guru reguta ravo kusvikira kuShebhurimu vachivauraya mumateru imomo. VaIsiraeri vakadedera, mwoyo yavo ikazanga nokutya. Joshuwa akabvarura hanzu dzake neshungu, akandoti pasi zvambarara pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano kusvikira manheru, iye pamwechete navakuru vakuru vavaIsiraeri, vakazvidira dota mumusoro. Ndopakazonamata Joshuwa achiti: “O babawe kani! Nhai Tenzi Mwari, makagoyambutsireiko vanhu ava Jorodhani. Kuzotiisa here chokwadi mumaoko avaAmori, kuti vatiparadze zvavo? Inga, dai takangosva tagara zvedu kumhiri kwaJorodhani. Zvino ndingagoti kudii chaizvo, nhai Tenzi kana vaIsiraeri vachidai kutiza vavengi vavo? Handiti vaKanani navagari vose vomunyika ino vachazvinzwa, vakatikomberana zvavo, vakatitsakatisa panyika zvokusazombonzwika zvedu kana zita. Zvino imi noukuru hwezita renyu, muchava papi ipapa?” Tenzi akati kuna Joshuwa, “Simuka apo! Ko ndochii ichocho kuzvambarara kudaro. VaIsiraeri vaita chitadzo, vatyora chitenderano changu navo, nokutora kwavaita zvimwe zvinhu zvakashorwa kuti zviparadzwe. Vaba, vakareva nhema, vakabatanidza zvavo zvinhu izvozvo nezvinhu zvavo. Ndokusaka vaIsiraeri vasisakwanisi kumirisana navavengi vavo vachitovapa gotsi kuvatiza. Izvozvi ivo ndivo vatova chinhu chakaturirwa kuneni kuti chiparadzwe. Kubvira iye zvino zvokuva nemi ndarega kusatoti matoparadza pakati penyu chinhu ichocho chakaturirweni kuti chiparadzwe. Simuka, uchenure vanhu uti, zvichenurei mugadzirire mangwana nokuti Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ati, ‘Mukati menyu mune zvinhu zvakuturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe. Saka imi vaIsiraeri, hamungakwanise kumirisana navavengi venyu kusvikira mabvisa zvinhu izvozvo pakati penyu zvakaturirwa kwandiri kuti zviparadzwe. Naizvozvo mangwanani munofanira kuuya kuno muri dzinza nedzinza. Dzinza rinenge rabatwapo naTenzi richapinda mudariro mhuri nemhuri. Kwozotiwo mhuri yomo inenge yabatwapo naTenzi, inofanira kupindawo mudariro imba nemba. Vembawo inenge yabatwa naTenzi vachapinda mudariro vachiteverana munhu nomunhu. Munhu anobatwa aine zvinhu izvozvo zvakaturirwa kuti zviparadzwe Mwari, anosungirwa kupiswa nomoto pamwechete nezvinhu zvake zvose nokuti atyora chitsidzirano chawakanzi naTenzi chichengetwe, uyewo nokuti akaita zvinonyadza muIsiraeri.’ ” Joshuwa akamuka rungwanangwana akati vaIsiraeri vauye mberi dzinza nedzinza, ndokubva kwabatwa dzinza rokwaJudha. Akapinza dzinza rokwaJudha mudariro, kukabatwa vemhuri yokwaZera. Akapinza vemhuri yokwaZera mudariro, vachiteverana munhu nomunhu kukabatwa vemba yokwaZabhudhi. Akapinza mudariro vemba yake iyeyu vachiteverana munhu nomunhu kukabatwa Akani mwanakomana waKarumi, mwanakomana waZera wedzinza rokwaJudha. Joshuwa akati kuna Akani, “Mwanangu pano apaka, chiremekedza Tenzi, Mwari wavaIsiraeri umurumbidze, ureurure kwandiri zvawakaita usandivanzire.” Akani akapindura Joshuwa achiti, “Chokwadi ndakatadzira Tenzi Mwari wavaIsiraeri. Zvandakaita ndezvizvi. Pandakaona hanzu yegemenzi yamandiriri kunaka yokuShinari pazvinhu zvakanga zvapambwa, nemari yamashekeri yesirivha inorema makirogiramu maviri, nechidimbu chendarama chino uremu hunopfuura chikamu chapakati napakati chekirogiramu, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvino zvinhu izvozvo ndakazviviga muvhu, mutendhe yangu, pakati, sirivha ndiyo iri nechapasi pazvo.” Joshuwa akatuma nhume dzikamhanya kutendhe iroro, wanei zvakavigwa mutendhe rake imomo, sirivha iri nechepasipasi. Vakazviburitsa mukati metendhe imomo, vakaenda nazvo kwaiva naJoshuwa navaIsiraeri vose, vakazviti ware ware pasi pana Tenzi. Joshuwa pamwechete navaIsiraeri vose vakatora Akani mwanakomana waZera, nesirivha iya nehanzu iya nechidimbu chendarama chiya, vakatorawo vana vake vakomana navasikana, pamwechete nemombe dzake namadhongi nehwai dzake netendhe rake netwake twose, vakaenda nazvo kubani reAkori. Joshuwa akati, “Ko iwe wakatipinzirei munhamo yakadai? Nhasi uno, Tenzi akupinzawo munhamo.” VaIsiraeri vose vakamutema namabwe, pamwechete navaaiva navo, vakavapisa nomoto. Vakatutira murwi wamatombo mukuru pamusoro pake, uchiripo nanhasi uno, hasha dzaTenzi dzakanga dzaviruka dzikanyevenuka. Saka nanhasi uno zita rebani iroro richinzi, Bani reAkori. Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Usatye kana kuzeza, tora vanhu vehondo vose vaunavo usimuke ukwire kuAi. Zviripo ndezvizvi, ndaisa mumaoko ako mambo wokuAi navanhu vake, neguta rake nenyika yake. Zvawakaita kuguta reJeriko namambo waro, ndozvauchaita kuguta reAi namambo waro. Asi torai zvenyu zvinhu zvomo nemombe zvamunenge mapamba zvive zvenyu. Itai zvokurihwandira necheshure kwaro.” Joshuwa akasimuka aine varwi vehondo vose, vakakwira kuguta reAi. Joshuwa akasarudza zviuru makumi matatu zvavarwi, vano vakasimba chaizvo akavatumako nousiku. Akavaudza achiti, “Endai mundohwandira guta iroro necheshure kwaro. Regai kundova kure kure neguta, asi garai makagadzirira. Ini navanhu vandinavo tichafamba kusvika paguta iroro. Pavachabuda kuzotirwisa sezvavakamboita tichavatiza. Ivo vachatidzingirira kusvikira tavakwezvera kunze kweguta nokuti ivo vachati, ‘Vari kutitiza sapakutanga paya.’ Saka isu tichavatiza, imi mosimuka pamunenge manga makahwanda paya muchindotora guta iroro nokuti Tenzi, Mwari wenyu achariisa mumaoko menyu. Kana matora guta iroro ripisei nomoto muite zvatakaudzwa naTenzi. Chinzwai, ndiri kutokutumai izvozvi.” Joshuwa akavati vachienda. Ivo ndokubva vaenda kunzvimbo yavo yokuhwanda iri pakati peBhetieri neAi, kuri kumadokero kweAi. Asi Joshuwa akarara usiku ihwohwo ari mukati mavanhu. Joshuwa akafumomuka akaunganidza vanhu vachibva vakwira kuenda kuAi, iye navakuru vakuru vavaIsiraeri vakatungamira pamberi pavanhu. Varwi vehondo vose vaakanga anavo vakaendako vakasvika pedyo neguta, vakadzika matendhe avo kuchamhembe kweAi. Pakati pavo neguta irori paiva nenhika yakadzika. Akatora varume vainge zviuru zvishanu, akavati vahwande vari pakati peBhetieri neguta reAi kumadokero kweAi. Saka vakaronga varwi, vakaisa boka ravo guru nechokuchamhembe kweguta iroro, rimwe boka ravo reshure kumadokero kweguta iroro. Asi usiku ihwohwo Joshuwa akarara ari munhika muya. Mambo weguta reAi paakaona izvi iye navanhu vake vose vomuguta imomo vakabuda, vakamhanyira kumateru, vakananga kugan'a reArabha, vachida kundorwisana navaIsiraeri ikoko. Asi haana kuziva kuti kuseri kweguta irori kwaiva navakanga vakamuhwandira. Joshuwa navaIsiraeri vose vakaita sokunge vakundwa navo, ndokutiza vakananga kurenje. Vanhu vose vaiva muguta iri vakakokorodzwa kuti vavadzingirire. Vachidzingirira Joshuwa kudaro vakatenge vachikwezverwa kure neguta. Hakuna murume akasara ari muguta reAi kana muBhetiere asina kundodzingirira vaIsiraeri. Vakasiya guta iri rakashama vachitandanisa vaIsiraeri. Tenzi ndokuti kuna Joshuwa, “Tondeka kuguta reAi nepfumo riri muruoko rwako nokuti ndichaisa guta irori mumaoko ako.” Joshuwa akanongedzera kuguta iroro nepfumo raiva muruoko rwake. Joshuwa paakangosimudza ruoko rwake, vaya vakanga vakahwandira, vakabva vasimuka pavakanga vari nokukurumidza. Vakamhanya, vakapinda muguta, rikabva rava mumaoko avo, vakachimbidza kuripisa. Zvino varume vokuAi vakati cheu, vakaona guta changova chamupwititi utsi, huchingotogoka mudenga. Zvakavapedza simba rokuti vatizire uku, kana uku nokuti vaya vokutizira kurenje vakadzoka kuzorwisa vaivadzingirira vacho. Kuzoti Joshuwa navaIsiraeri vose vaona kuti guta riya rava mumaoko avaya vakanga vakahwandira, uye kuti guta rakanga rangova utsi chete mudenga, vakabva vadzoka kuzouraya varwi veAi. VaIsiraeri vokupinda muguta vaya vakavabudirawo, saizvozvo ivo vakanga vava pakati, vachiti uku vaIsiraeri uku vaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya zvokuti hakuna akasara ari mupenyu kana akapunyuka. Asi vakabata mambo weAi ari mupenyu vakaenda naye kuna Joshuwa. Kuzoti vaIsiraeri vapedza kuuraya vagari vose vokuAi kugan'a kuya kurenje kwavakanga vachivadzingira, vapedza kuuraya munhu wose zvake nebakatwa, vaIsiraeri vose vakadzokera kuAi vakandouraya vose vaivamo namapakatwa. Pazuva iroro vanhu vose vokuAi vakaurayiwa vaiva zviuru gumi nezviviri zvavanhu varume navakadzi, nokuti Joshuwa haana kudzosa ruoko rwake ruya rwaiva rwakabata pfumo kusvikira aparadza vagari vose vomuAi. VaIsiraeri chavakangotora chete imombe nezvinhu zvomuguta iroro zvavakapamba, sokutaurirwa kwakanga kwaitwa Joshuwa naTenzi. Saka Joshuwa akapisa Ai, rikasara rangova murwi kusvikira narini wose sezvariri nanhasi uno. Akasungirira mambo weAi mumuti kusvikira manheru. Kuzoti zuva rodoka Joshuwa akaudza vanhu zvokuita, vanhu vakaturura chitunha chake mumuti vakachikanda panzira, pasuo guru reguta iroro, ndokubva vatutira murwi mukuru wamatombo pamusoro pacho. Pari nhasi murwi iwoyo uchiripo. Joshuwa akavakira Tenzi Mwari wavaIsiraeri atari pagomo reEbhari sokuudzwa kwakaitwa vaIsiraeri naMosesi muranda waTenzi, sokunyorwawo kwazvakaitwa mubhuku raMosesi remitemo zvichinzi, “Inofanira kuva atari yamatombo asina kuvezwa nesimbi,” vakapira Tenzi zvibayiro zvemipiro yokupisa neyokuwadzana. Ipapo vanhu vechiIsiraeri vachiona kudaro Joshuwa akanyora pamatombo mutemo uya waMosesi waakanga anyora. VaIsiraeri vose zvavo, vatorwa pamwechete nezvidza zvomo, pamwechete navakuru vakuru vavo, namakurukota avo, navatongi vavo, vakandomira vakati vamwe uku, vamwe uku kumativi ebhokisi rechitenderano vakatarisana navapristi vaRevhi vokutakura bhokisi raTenzi rechitenderano. Chimwe chikamu chavo chakandomira pamberi pegomo reGerizimu, chimwe chikandomira pamberi pegomo reEbhari sokuudzwa kwavakanga vaitwa naMosesi muranda waTenzi pakutanga kuti vanofanira kupa vaIsiraeri chikomborero. Shure kwaizvozvo, akaverenga mazwi ose omutemo okukomborera munhu, nookupinza munhu murushambwa maererano nezvose zvakanyorwa mubhuku romutemo. Hakuna chinhu pane zvose zvakanga zvakataurwa naMosesi chisina kuverengwa naJoshuwa kugungano rose ravaIsiraeri, navakadzi navana navatorwa vaigara navo. Kuzoti izvozvi zvanzwikwa namadzimambo ose akanga agere kumhiri kwaJorodhani munyika yamakomo nenyika yamapani nokumahombekombe kwose kweGungwa guru kwakatarisana neRebhanoni, vaHiti navaAmori navaKanani navaPerezi navaHivhi navaJebhusi vakazvinzwa, vakakokorodzana vakaita rimwe rokurwisa Joshuwa navaIsiraeri. Asi vanhu veGibheoni pavakanzwa zvakaitwa naJoshuwa kuguta reJeriko nereAi naivowo vakaita zvounyengedzi. Zvavakaita ndezvokuti vakaenda vachiita sokunge nhumwa dzenyika. Vakatora masaga matsaru vakaisa pamadhongi avo, nezvigubhu zvewaini zvamatehwe zvasakara zvakabvaruka-bvaruka zvakaitwa zvokusoneredzwa. Vakapfeka mutsoka shangu dzasakara dzine zvigamba. Vakapfekawo marengenya. Chingwa chembuva yavo chakanga chachiti papata kuoma chava nechiundudzi. Vakaenda kuna Joshuwa pamatendhe kuGirigari, vakataurira iye navaIsiraeri vachiti, “Tabva kunyika iri kure kwazvo. Zvino tinokumbirawo kuti muite chitenderano nesu.” Asi varume vechiIsiraeri vakati kuvaHivhi, “Ko zvimwe mungadaro muri vanhu vagere pakati pedu, tingagoita sei chitenderano nemi pakadaro?” Ivo vakati kuna Joshuwa, “Tiri varanda venyu.” Joshuwa akati kwavari, “Ko ndimi vanaani? Munobva kupi?” Vakati kwaari, “Isu varanda venyu tabva kunyika iri kure kure. Chatisvitsa kuno izita raTenzi Mwari wenyu nokuti, takanzwa nezvomukurumbira wake nezvose zvaakaita kuIjipiti, nezvose zvaakaita kumadzimambo maviri avaAmori aiva kumhiri kwaJorodhani, aiti Sihoni mambo weHeshibhoni naOgu mambo weBhashani aigara kuAshitaroti. Naizvozvo vakuru vakuru vedu navanhu vose vomunyika medu vakatiti, ‘Torai mbuva mupinde munzira mundochingudzana navo, muvati, tiri varanda venyu, tiri kukumbirawo kuti tiite chitenderano nemi.’ Tarisai muone chingwa chedu chembuva. Izvozvi musi watakasimuka tichiuya kwamuri, chakanga chichitopisa patakachitora mumba. Asi iye zvino chionai chaoma kuti papata, chatova nechiundudzi. Zvigubhu zvedu zvewaini zvematehwe izvi zvaiva zvitsva patakazvizadza, asi chitarisai muone zvatomwauka. Hanzu dzedu neshangu dzedu idzi dzatosakara pamusana perwendo rwacho rwakareba zvikuru.” Ipapo varume veIsiraeri vakadya zvavo zvokudya zvavanhu ivavo vasina kumbobvunza kuti Tenzi anoti kudii nenyaya yacho. Joshuwa akabva awirirana navo ndokuita chitenderano navo chokuti achavarega vari vapenyu. Vatungamiri vegungano vakavavimbisawo saizvozvo. Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokuita chitenderano navo, vakazonzwa kuti vakanga vari vavakidzani navo, vakanga vagere pedyo navo. VaIsiraeri vakafamba kwamazuva matatu vakandosvika kumaguta evanhu ivavo. Maguta acho aiti Gibheoni neKefira neBheeroti neKiriatijearimu. Asi vaIsiraeri havana kuvauraya nokuti vatungamiriri vegungano vakanga vapika naTenzi Mwari wavaIsiraeri. Vanhu vose vakabva vanyunyutira vatungamiriri. Vatungamiriri vose vakaudza gungano rose kuti “Takavapikira naTenzi Mwari wavaIsiraeri. Zvino hatikwanisi kana kumbovabata-bata zvedu. Zvatichaita kwavari ndezvizvi, tichavarega zvedu vari vapenyu kuti tirege zvedu kuvirukirwa nehasha pamusana pemhiko yatakapika kwavari.” Vatungamiriri vakati kuvanhu, “Varegei vari vapenyu.” Saka vanhu ivava vakava vokutemera gungano huni nokuvatekera mvura sokutaura kwakaita vatungamiriri kwavari. Joshuwa akavadaidza akati kwavari, “Ko makatinyengedzererei muchiti, ‘Tinogara kure kwazvo nemi.’ Nyamba imi munogara zvenyu pedyo nesu kudai. Saka naizvozvo matopinda rushambwa, vamwe venyu muchagara muri varanda vokutemera huni, nokutekera mvura imba yaMwari wangu.” Vakapindura Joshuwa vachiti, “Takaita izvozvi nokuti isu varanda venyu takanga tanyatsorondedzerwa zvakatemwa naTenzi Mwari wenyu akazvipa kuna Mosesi muranda wake zvokuti ari kukupai nyika iyi yose achifanokuurayirai vanhu vose vomo. Takabva tatyira upenyu hwedu ndokubva taita izvozvi. Zvino isu tiri mumaoko enyu. Itai zvenyu nesu zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka zvakakodzera.” Ndizvozvo zvaakaita kwavari akavanunura mumaoko avaIsiraeri vakarega kuvauraya. Kubvira pamusi iwoyo kusvikira pari nhasi, Joshuwa akavaita vatemi vehuni navateki vemvura vegungano neveatari yaTenzi pose pose paainge asarudza. Adhonizedheki mambo weJerusaremu akanzwawo kuti Joshuwa akatora guta reAi rikava mumaoko ake, uye kuti akanga anyatsoriparadza achinzwawo kuti Joshuwa akaita kuguta reAi namambo waro zvaakanga aita kuguta reJeriko namambo waro. Akanzwawo kuti vanhu vokuGibheoni vakanga vava kutowirirana zvavo navaIsiraeri uye kuti vava kutogarisana navo savavakidzani. Zvakamutyisa zvikuru nokuti guta reGibheoni raiva guta guru kwazvo, rakatoita seguta guru ramambo, rakakura zvokupfuura guta reAi. Varume vose vomo vakanga vari mvumba chaidzo dzokurwa hondo. Naizvozvo Adhonizedheki mambo weJerusaremu akatuma nhume kuna Hohamu, mambo weHebhuroni, nokuna Piramu, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi achiti, “Uyai muzondibatsirawo tirwise guta reGibheoni nokuti rakatowirirana zvaro naJoshuwa navaIsiraeri.” Madzimambo mashanu iwaya avaAmori aiti mambo weJerusaremu namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti namambo weRakishi namambo weEgironi vakaunganidzana ndokukwira nehondo dzavo dzose kundokomberana kurwisa guta reGibheoni. Vanhu vokuGibheoni vakatuma nhume kuna Joshuwa kuGirigari kwavakanga vakadzika matendhe vachiti, “Matiregerera kuno isu varanda venyu. Uyai kuno nokukurumidza muzotinunura, mutibatsirewo nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vakokorodzana kuzotirwisa.” Joshuwa akabva kuGirigari akakwira ikoko. Akaendako nehondo yake yose, varume vose vaya vaiva mvumba dzokurwa hondo. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usambovatya zvako nokuti ndatovaisa mumaoko ako. Hakuna nomumwe wavo achagona kumirisana newe.” Joshuwa akaerekana ati pfacha kusvika pavari, avavinga kubva kuGirigari nousiku. Tenzi akavapinza mweya wokutya vaIsiraeri. VaIsiraeri vakavaita murakatira kuuraya paGibheoni ipapo vakavadzingirira kusvikira kumukwidza weBhetihoroni vachingovakatakazha kudzamara vasvika kuAzeka nokuMakedha. Pavaingunotiza vaIsiraeri kudai, voteremuka zvino nomutenure weBhetihoroni, Tenzi akanayisa mhitsa dzechivhuramahwe pavari kusvikira kuAzeka, vakafa. Vanhu vakaurayiwa nechivhuramahwe ichi vakanga vakawanda kupfuura vanhu vakaurayiwa navaIsiraeri namapakatwa. Pazuva iroro rakaiswa vaAmori mumaoko avaIsiraeri naTenzi, Joshuwa akataurira Tenzi vaIsiraeri vachinzwa achiti, “Iwe zuva pano paGibheoni iti mbikiti kumira, newe mwedzi iti ndi kumira padunhu rino reAjaroti. Zuva rakati mbikiti kumirapo. Mwedzi ukatiwo ndi kumira kusvikira vaIsiraeri vapedza vavengi vavo kutsividza.” Handiti izvozvi zvakanyorwa muBhuku raJashari here? Zuva rakaramba rakati mbikiti panguva yarinorova nhongonya, rikarega kukurumidza kudoka, kwezuva rose. Hakuna kumbova nezuva rakadai kubvira pasi chigare kana shure kwaizvozvo rokuti Tenzi akateerera munhu, nokuti Tenzi akarwira vaIsiraeri. Joshuwa akadzokera zvake navaIsiraeri vose vaaiva navo kumatendhe kuGirigari. Madzimambo iwayo mashanu akatiza akandohwanda mubako rokuMakedha. Joshuwa akaudzwa kuti, “Madzimambo mashanu aya awanikwa akahwanda mubako rokuMakedha.” Joshuwa akati, “Kungurutsirai mabwe makuru pamuromo webako iroro, mugoisa vanhu vanogaririra ipapo. Asi imi pachenyu regai kumirapo, rondai vavengi venyu, vateverei muchivarwisa, vanenge vasarira muchiuraya, musavarege vachindopinda mumaguta avo nokuti Tenzi Mwari wenyu avaisa mumaoko enyu.” Kuzoti Joshuwa navaIsiraeri vapedza kuvauraya vachivaita murakatira kusvikira vanhu ava vaparadzwa, uye kusvikira chitsama chakasara chandopinda mumaguta akanga aine tsvingo, vanhu vose vakadzokera zvakanakanaka kuna Joshuwa kumatendhe avo kuMakedha. Hakuna kuwanika munhu ane chaakati bufu kuvaIsiraeri. Joshuwa akati, “Chizarurai bako muburitse madzimambo mashanu aya, muuye navo kwandiri.” Vanhu vakaita izvozvo, vakaunza kwaari madzimambo mashanu aya kubva mubako aiti mambo weJerusaremu namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti namambo weRakishi namambo weEgironi. Pavakaburitsa madzimambo aya vakauya navo kuna Joshuwa. Joshuwa akadaidza vaIsiraeri vose akati kuvakuru vakuru vose vehondo vaakanga aenda navo, “Uyai pano mutsike netsoka dzenyu mutsipa yamadzimambo iwaya.” Vakauya vakatsika mitsipa yamadzimambo aya. Joshuwa akati kwavari, “Musatye zvenyu kana kuzeza, shingai mutsunge mwoyo nokuti ndizvo zvichaita Tenzi kuvavengi venyu vose vamucharwisa.” Joshuwa akabva avaponda vakafa akavasungirira mumiti mishanu. Vakaswera vakaremberapo kusvikira manheru. Kuzoti zuva rodoka Joshuwa akati vatururwe pamuti paya ndokuvakanda mubako muya mavakanga vahwanda ndokuisa mabwe pamuromo waro achiripo kusvikira pari nhasi. Pamusi iwoyo Joshuwa akatora guta reMakedha rikava mumaoko ake. Akariparadza nebakatwa, iro namambo waro. Akanyatsoparadza vanhu vose zvavo vakanga varimo. Hapana kana munhu mumwechete waakasiyamo. Akaita kuna mambo weMakedha zvaakaita kuna mambo weJeriko. Joshuwa akabva kuMakedha navaIsiraeri vose vaaiva navo akaenda kuguta reRibhuna, akarirwisa. Tenzi akaisawo guta iroro namambo waro mumaoko avaIsiraeri. Vakauraya vanhu vaivamo vose zvavo namapakatwa. Hapana kana munhu mumwechete wavakasiyamo. Vakaita kuna mambo waro sezvavakanga vaita kuna mambo weJeriko. Joshuwa akabva kuRibhuna navaIsiraeri vose vaaiva navo akadimura oenda kuguta reRakishi. Vakarikomba vakarirwisa. Tenzi akaisa guta reRakishi mumaoko avaIsiraeri. Vakaritora pazuva rechipiri, vakaparadza guta iroro vakauraya vanhu vaivamo vose zvavo namapakatwa sezvavakaita kuguta reRibhuna. Horamu mambo weguta reGezeru akauya kuzobatsira vokuRakishi. Joshuwa akamuuraya, iye navanhu vake, kusara pasisina asara. Joshuwa akabva kuRakishi navaIsiraeri vose vaaiva navo akadimura oenda kuguta reEgironi. Vakarikomba, vachirirwisa. Musi iwoyo vakaritora rikava mumaoko avo. Vakaparadza guta iri vakanyatsouraya nebakatwa vanhu vaivamo vose zvavo musi wakarewo sezvavakaita kuguta reRakishi. Joshuwa akabva kuEgironi navaIsiraeri vose vaaiva navo vakaenda kuguta reHebhuroni, vakabva varirwisa. Vakaritora rikava mumaoko avo. Vakaparadza guta iroro nebakatwa namambo waro nemisha yaro. Vakauraya munhu wose akanga arimo. Hapana kana munhu mumwechete zvake wavakasiyamo. Vakanyatsoriparadza vakauraya munhu wose zvake akanga arimo sezvavakaita kuguta reEgironi. Joshuwa akadzokera navaIsiraeri vose vaaiva navo kuDhebhiri, vakarirwisa. Vakaritora rikava mumaoko avo, iro namambo waro nemisha yaro yose. Vakauraya namapakatwa vanhu vaivamo vakanyatsouraya vanhu vose vaivamo. Hapana wavakasiyamo. Zvavakaita kuguta reHebhuroni namambo waro ndozvavakaitawo guta reDhebhiri namambo waro. Saka Joshuwa akakurira nyika yose zvayo inoti: nyika yamakomo neNegevhu nenyika yokumanhika namateru ayo. Akakurirawo madzimambo ose enyika idzodzo. Hapana kana munhu mumwechete zvake waakasiya, asi akatouraya vose zvokusambosiya kana chinhu chipenyu zvacho, sokureva kwakaita Tenzi Mwari wavaIsiraeri. Joshuwa akakurira vanhu kubvira kuKadheshibharinea zvichienda nokuGaza nenyika yose yeGosheni kusvikira kuGibheoni. Joshuwa akakurira madzimambo ose iwaya, nyika dzawo dzikava mumaoko ake nenguva imwecheteyo nokuti Tenzi Mwari wavaIsiraeri, aivarwira. Joshuwa akazodzokera navaIsiraeri vaaiva navo kwavakanga vakadzika matendhe kuGirigari. Jabhini mambo weguta reHazori paakanzwawo izvi, akatumira shoko kuna Jobhabhu mambo weguta reMadhoni nokuna mambo weguta reShimuroni nokuna mambo weguta reAkishafu. Akatumirawo shoko kumadzimambo okuchamhembe kunyika yemakomo, nokuArabha kumaodzanyemba kwegungwa reKineroti, nokunyika yakumanhika nokuNafotidhori kumadokero, nokuvaKanani vokumabvazuva novokumadokero, nokuvaAmori navaHiti navaPerizi navaJebhusi vomunyika yamakomo, nokuvaHivhi vari mujinga regomo reHerimoni kudunhu reMizipa. Vakauya nehondo dzavo dzose vari gurusvusvu kuwanda sejecha regungwa, vaine bvakapfaka ramabhiza nengoro. Madzimambo iwaya akaunganidza pamwechete hondo dzavo dzose akadzika matendhe avo kubani remvura rokuMeromu kundorwisana navaIsiraeri. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usavatye nokuti mangwana panguva idzo dzino idzi ndinenge ndatovaisa mumaoko avaIsiraeri, vanenge vatofa. Munofanira kutema mabhiza avo matatira, muroromese nomoto ngoro dzavo dzehondo.” Naizvozvo Joshuwa akavavinga nehondo yake ivo vari mubani remvura rokuMeromu akaita zvokungoerekana avafuta. Tenzi akavaisa mumaoko avaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya vakadzingirirana navo kudzamara vatopinda muguta reSidhoni nomuguta reMisirefotimaimu nokusvikira kubani reMizipa kumabvazuva. Vakavauraya zvokuti hapana kusara kana munhu mumwechete zvake. Joshuwa akaita kwavari zvaakanga audzwa naTenzi. Akatema mabhiza avo matatira, akaroromesa nomoto ngoro dzavo dzehondo. Joshuwa akadzoka ikoko panguva iyoyo, akakurira guta reHazori akauraya nebakatwa mambo waro nokuti guta reHazori iri ndoraiva guta guru raitungamirira nyika dzamadzimambo ose iwayo. Akauraya namapakatwa vanhu vose vaiva muguta imomo zvokuuraya zviya munhu wose. Hapana kana chinofema chaakasiya. Akapisa nomoto guta irori reHazori. Joshuwa akakurira maguta ose iwayo namadzimambo awo akava mumaoko ake, akaaparadza namapakatwa zvokusambosiya kana chinhu, sezvaakanga anzi aite naMosesi muranda waTenzi. Asi vaIsiraeri havana kupisa maguta akanga akavakirwa pakatunhumara, kusiya guta reHazori rakapiswa naJoshuwa. VaIsiraeri vakatora zvipfuwo nezvinhu zvose zvaiva mumaguta iwayo, zvavakanga vapamba. Asi wose ainzi munhu vakauraya namapakatwa vakavaparadza kusiya pasisina kana mupenyu. Tenzi sokuudza kwaakanga aita Mosesi muranda wake, Mosesi akataurirawo Joshuwa, Joshuwa ndokuitawo saizvozvo. Haana kana chaakasiyidzira pane zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi. Saka Joshuwa akatora nyika yacho yose iyoyo. Akatora nyika yamakomo neNegevhu yose nenyika yose zvayo yeGosheni nenyika yokumanhika nenyika yeArabha nenyika yeIsiraeri yemakomo, namapani ayo kubvira kugomo reHaraka rinokwira nokuSeiri kusvikira kuBhaarigadhi kubani reRebhanoni mujinga megomo reHerimoni. Akabata madzimambo adzo ose, akavaponda kuuraya Joshuwa akarwa namadzimambo iwayo kwenguva ndefu. Hakuna kana rimwe guta zvaro rakawirirana navaIsiraeri kusiya vaHivhi voga, vanhu vokuGibheoni. VaIsiraeri vakatora maguta ose iwayo nehondo akava avo. Chaivadariso ndechokuti Tenzi ndiye aivakonzera kuomesa musoro kuti vaende kundorwisa vaIsiraeri achiitira kuti vanhu ivavo vabve vanyatsoparadzwa uye kuti varege kunzwirwa tsitsi, asi kutoti vatsakatiswe sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Panguva iyoyo Joshuwa akandoparadza vaAnakimu vomunyika yamakomo vaiti vokuHebhuroni novukuDhebhiri novokuAnabhu novokunyika yaJudha yamakomo, novokunyika yeIsiraeri yamakomo. Joshuwa akavaparadza pamwechete namaguta avo. Hakuna kusara kana muAnakimu munyika yavaIsiraeri, kunze kwevaiva kuGaza nokuGati nokuAshidhodhi chete. Ndokutora kwakaita Joshuwa nyika yose sokutaura kwakanga kwaita Tenzi kuna Mosesi. Joshuwa akaipa kuvaIsiraeri senhaka yavo maererano namadzinza avo. Nyika ndokubva yazorora hondo. Aya ndiwo madzimambo enyika iyi akakurirwa navaIsiraeri vakavatorera nyika yawo vakaiita yavo kumhiri kwaJorodhani nechokumabvazuva, kutangira kubani raArinoni kusvikira kugomo reHerimoni nekwose kuArabha nechokumabvazuva: Kunoti Sihoni mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni, aitonga kubvira kuAroero pamucheto webani raArinoni achibvira pakati pebani iroro kusvikira kurwizi rwaJabhoku, muganhu wavaAmoni runovaganhuranisa nechidimbu chenyika yeGireadhi. Yaibvirawo kuArabha kusvikira kugungwa reKinereti kumabvazuva takananga kuBhetijeshimoti kugungwa reArabha, gungwa roMunyu, yonanga kuBhetijeshimoti kumaodzanyemba kusvikira mujinga megomo rePisiga. Kwouyawo Ogu mambo weBhashani aiva mumwe wehofori dzechiRefaimu akanga asara, aigara kuAshitaroti nokuEdhirei. Aitongawo kubvira kugomo reHerimoni zvichienda nokuSareka nenyika yose yeBhashani achindoganhurana navaGeshuri navaMaaka, achitongawo chimwe chidimbu chenyika yeGireadhi achindoganhurana naSihoni mambo weHeshibhoni. Mosesi muranda waTenzi navaIsiraeri, vakakurira madzimambo iwayo, iye Mosesi muranda waTenzi ndokupa nyika yavo kuti ive yevedzinza rokwaRubheni nerokwaGhadhi nechikamu chapakati napakati chedzinza raManase. Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akazokurirwa naJoshuwa navaIsiraeri kumadokero kumhiri kwaJorodhani, kubvira kuBhaarigadhi mubani reRebhanoni kusvikira kugomo reHaraku rinokwira rakananga kuSeiri. (Joshuwa akapa nyika yemadzimambo iwayo kumadzinza avaIsiraeri somugove wavo wenhaka. Akavapa nyika dzinoti nyika yemakomo nenyika yokumanhika, nenyika yeArabha nenyika yemateru, nenyika yerenje nenyika yeNegevhu, nenyika yavaHiti neyavaAmori neyavaKanani neyavaPerizi neyavaHivhi neyavaJebhusi). Madzimambo akakurirwa acho ndeaya: kunoti mambo wokuJeriko nowokuAi, guta riri pedyo nereBhetieri, nowokuJerusarema; kwouya mambo wokuHebhuroni nowokuJarimuti, nowokuRakishi, nowokuEgironi nowokuGezeru; kwoti mambo wokuDhebhiri nowokuGedheru, nowokuHoruma nowokuAradhi; kwozoti mambo wokuRibhuna nowokuAdhuramu, nowokuMakedha nowokuBheteri; kuchitiwo, wokuTapua mambo wokuHeferi, nowokuAfeki nowokuReshironi, nowokuMadhoni nowokuHazori, kuchizoti mambo wokuShimuronimeroni nowokuAkishafu, nowokuTanaki nowokuMegidho; ndokuuyawo wokuKedheshi, mambo womuJokineamu kuKarimeri nowokuDhori riri kuNafatidhori nowomuGoiimu kuGirigari; ndokuzoti mambo wokuTiriza. Vose pamwechete vaiva madzimambo makumi matatu ane mumwechete. Zvino Joshuwa akanga akwegura zvokunyatsochemberawo, Tenzi ndokumutaurira achiti, “Wakwegura, makore ako oupenyu ayendedzana, asi kuchine nyika huru kwazvo yokutora kuti ive yenyu. Kuchine nyika huru yamusati matora: kunoti matunhu ose zvawo avaFirisitia, nenyika yose yavaGeshuri namatunhu ose avaGeshuri, (zvichitangira kuShihori kumabvazuva kweIjipiti kusvikira kuchamhembe kumuganho weEkironi, inonzi ndeyevaKanani. Kune vatongi vashanu vechiFirisitia vanoti wokuGaza nowokuAshidhodhi nowokuAshikeroni nowokuGati nowokuEkironi navaAvhimu.) Kumaodzenyemba, inotangira kunyika yavaKanani yose zvichienda nokuMeara kunyika yavaSidhoni kusvikira kuApeki kumuganhu wavaAmori. Kwouya nyika yavaGebaru nenyika yeRebhanoni mujinga megomo reHerimoni kudzamara toda kupinda muHamati, vanhu vose zvavo vomunyika yemakomo kubvira kuRebhanoni kusvikira kuMisirefotimaimu kunyangewo nevaSidhoni vose zvavo. Ini pachangu ndichadzingira vaIsiraeri vanhu ivavo chako iwe chete govanisa vaIsiraeri nyika iyi senhaka, sezvandakakuudza. Saka chigovera nyika iyoyi madzinza mapfumbamwe nechikamu chevedzinza raManase senhaka yavo.” Vedzinza raRubheni nerokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza raManase, vanotova kare nenhaka yavo yavakapiwa naMosesi kumhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sokupiwa kwavakaitwa naiye Mosesi muranda waTenzi. Kubvira kuguta reAroeru kumucheto webani raArinoni, neguta riri pakati pebani renyika yakatumhumara yeMadhebha zvichienda nokuDhibhoni, namaguta ose aSihoni mambo wavaAmori aitonga kuHeshibhoni ichindosvika kumuganhu navaAmori. Akavapawo nyika yeGireadhi namatunhu ose avaGeshuri neavaMaaka, nokugomo reHerimoni kwose, nenyika yeBhashani yose zvichisvika kuSareka, nyika yose zvayo yamambo Ogu kuBhashani aimbotonga Ashitaroti neEdhirei. (Iyeyu ndiye aiva hofori imwechete yechiRefaimu yakanga yasara.) Mosesi akakurira ivava akaavadzingamo. VaIsiraeri havana kudzingamo vaGeshuri navaMaaka, asi kutoti vokwaGeshuri novokwaMaaka vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira pari nhasi. Dzinza raRevhi chete ndiro risina kupiwa nhaka naMosesi nokuti mipiro inopirwa kuna Tenzi, Mwari waIsiraeri ichiita zvokupiswa nomoto ndiyo nhaka yaro sokuudzwa kwaakaitwa. Mosesi akagovera vedzinza rokwaRubheni nhaka yemhuri dzavo. Kubvira kuAroero pamucheto webani raArinoni ichibvira muguta riri pakati pebani, nenyika yose yakatunhumara yokuMedhebha zvichienda kuHeshibhoni namaguta ose omunyika yakatunhumara aya anoti: Dhibhoni neBhamotibhaari neBhetibhaarimeoni neJahazi neKedhimoti neMefaati neKiriataimu neSibhuma neZeredhishahari riri pachikomo chomubani chiya, neBhetipeori nemateru okubva mujinga megomo rePisiga neBhetijeshimoti, zvichireva kuti maguta ose zvawo omunyika yakatunhumara, nenyika yose yaSihoni mambo wavaAmori aitonga kuHeshibhoni uya wokukundwa naMosesi pamwechete navatungamiriri vavaMidhiani vanaEvhi naRekemu naZuru naHuru naRebha, vakanga vari madzishe aiva pasi pamambo Sihoni, vachigara munyika iyoyo. Bhiriamu mwanakomana waBheori uya aiita maminimini uya akaurayiwawo navaIsiraeri pamwechete navamwe vavakauraya namapakatwa. Saka nyika yevedzinza rokwaRubheni yaindosvika muna Jorodhani ndiwo waiva muganhu wavo. Maguta iwaya nemisha yawo ndiyo yaiva nhaka yevedzinza rokwaRubheni irori nemhuri dzavo. Mosesi akagoverawo vedzinza rokwaGadhi nhaka yemhuri dzavo. Nyika yavo yaiva yeGazeri zvichienda nokumaguta ose omuGireadhi nechidimbu chenyika yevaAmoni ichisvika kuAroeru kumabvazuva eRabha. Yaibvirawo kuHeshibhoni kundosvika kuRamatimizipe nokuBetonimu, ichibvirawo kuMahanaimu kusvikira kunyika yaDhebhiri zvichienda nokubani kuBhetiharamu nokuBhetinimura nokuSukoti nokuZafoni ndochimwewo chidimbu chenyika yaSihoni mambo weHeshibhoni, Jorodhani ruriwo muganhu wenyika yacho inosvika kumahombekombe egungwa reKinereti kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani. Maguta iwaya nemisha iyi ndiyo yaiva nhaka yevedzinza rokwaGadhi nemhuri dzavo. Mosesi akagovera nhaka kune chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase. Akapa nhaka iyi kune chikamu ichi chevedzinza raManase nemhuri dzavo. Nyika yavo yaibvira kuMahanaimu zvichienda nokuBhashani kwose zvako, zvichireva kuti nyika yose zvayo yaOgu mambo weBhashani, namaguta ose aJairi omuBhashani, ose pamwechete aiva makumi matanhatu amaguta, kwouya chidimbu chenyika yeGireadhi neguta reAshitaroti nereEdhirei, maguta omunyika yaOgu yeBhashani, ndozvechikamu chemhuri dzokwaMakiri mwanakomana waManase. Ndidzodzi nhaka dzakagoverwa naMosesi mumapani eMoabhu kumhiri kwaJorodhani nechokumabvazuva kweJeriko. Asi Mosesi haana kugovera vedzinza rokwaRevhi nhaka, Tenzi Mwari wavaIsiraeri ndonhaka yavo, sezvaakavaudza. Idzi ndidzo nhaka dzakagoverwa vaIsiraeri munyika yeKanani, vachidzigoverwa nomupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNunu navakuru vakuru vemhuri dzemadzinza avaIsiraeri. Madzinza mapfumbamwe nechimwe chikamu chedzinza chiya akagoverwa nhaka nechin'ange sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Chakadariso ndechokuti Mosesi akanga atogovera kare nhaka madzinza maviri nechimwe chikamu chedzinza kumhiri kwaJorodhani, vaRevhi chete ndivo vaasina kugovera nhaka pakati pavo. Chiripo ndechokuti vokwaJosefi vakave madzinza maviri anoti rokwaManase nerokwaEfuraimu, asi hapana nhaka yakagoverwa vaRevhi munyikamo. Vakangogoverwa chete maguta okugara nenharaunda dzawo dzokuisa zvinhu zvavo nokuita mafuro ezvipfuwo zvavo. VaIsiraeri vakaita zvakaudzwa Mosesi naTenzi, vakagoveranisa nyika iyoyo. Vedzinza rokwaJudha vakauya kuna Joshuwa paGirigari. Karebhu mwanakomana waJefune muKenizi akataura nhuna dzake kwaari achiti, “Muchiri kuyeuka here zviya zvakataurwa naTenzi kuna Mosesi munhu waMwari kuKadheshibharinea, paakataura nezvangu uye nezvenyu. Ini ndakanga ndichine makumi mana amakore pandakatumwa paya naMosesi kuzosora nyika ino ndichibva kuKadheshibharinea. Ndakadzoka ndikamuudza chaizvo zvandainzwa mumwoyo mangu. Asi vamwe vangu vandakanga ndaenda navo vakasvikoodza vanhu mwoyo. Asi ini ndakati kwati naTenzi nomwoyo wangu wose. Pamusi iwoyo Mosesi akapika nemhiko achiti, ‘Chokwadi nyika iyoyo yawakatsika norutsoka rwako ichava nhaka yako nezvizvarwa zvako narini narini nokuti iwe wakati kwati naTenzi, Mwari wangu.’ Zvino chionai, Tenzi akandichengeta sokutaura kwake makore aya makumi mana ana mashanu kubvira musi waataura izvozvi kuna Mosesi, vaIsiraeri vachangunofamba murenje. Hezvino nhasi uno ndava namakore makumi masere ana makore mashanu okuberekwa. Kusimba kwandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMosesi, ndokusimba kwandakaita pari nhasi uye simba rangu rokuenda kuhondo kundorwa richiripo. Saka ndipei zvangu nyika yamakomo yakataurwa naTenzi musi uya. Imi makangozvinzwirawo moga musi uya kuti hofori dzokwaAnakimu dziriko, dzina maguta adzo ane tsvingo. Pamwe Tenzi angangondibatsira, ndikavatorera nyika yavo, sokutaura kwakaita Tenzi.” Joshuwa akakomborera Karebhu mwanakomana waJefune ndokumupa guta reHebhuroni senhaka. Saka Hebhuroni yakabva yava nhaka yokwaKerebhu mwanakomana waJefune muKenizi kusvikira pari nhasi nokuti akaramba akati kwati kwati naTenzi, Mwari wavaIsiraeri. Hebhuroni iyi yaimbonzi Kiriatiaribha. Aribha iyeyu uyu aiva munhu mukuru kwazvo pavaAnakimu. Nyika ndokubva yazorora hondo. Nyika yakagoverwa vedzinza rokwaJudha nemhuri dzavo yakanga yakamira yakadai: Kumaodzanyemba kwokupedzesera chaiko yaindosvika kumuganhu neEdhomu, kurenje reZini. Muganhu wayo wokumaodzanyemba ikoko waitangira kumahombekombe kwegungwa roMunyu, mahombekombe eko okumaodzanyemba. Woenda wakananga kumaodzanyemba kwemukwidza weAkirabhimu wopfuura wosvika kuZini, wokwidza wakananga kumaodzanyemba kweKadheshibharinea. Wonopfuura nokuHezironi wosvika kuAdhari, wopoterera nokuKarika, wozondosvika kuAzimoni, wotevedza Kakova keIjipiti kusvikira kwakanodira kugungwa reMedhiterenieni uko. Ndomuganhu wenyu wokumaodzanyemba. Muganhu wayo wokumabvazuva igungwa roMunyu, kunosvika kumadiro aJorodhani. Kuchamhembe, muganhu wayo unotangira kumahombekombe kwegungwa iroro pamadiro aJorodhani, wokwira nokuBhetihogira wopfuura nechokuchamhembe kweBhetiarabha kusvikira paDombo raBhohani mwanakomana wokwaRubheni. Muganhu wacho wozobvira ipapo mubani reAkori wokwidza wakananga kuDhebhiri uchienda kuchamhembe wakananga nechekuGirigari wakatarisana nomukwidza weAdhumimu uri kumaodzanyemba kwebani iroro. Muganhu iwoyu waizopfuura woenda kubani remvura yeEnishemeshi uchindosvika kuEnirogeri. Muganhu uyu waikwidza uchibva ipapo wakananga kubani romwanakomana waHinomu uchipfuura napamateru okumaodzanyemba kweguta reJebhusi ndiro Jerusaremu, wokwidza napamusoro pegomo rakavambirana nebani iri rokwaHinomu nechokumadokero, kusvikira kumucheto wokuchamhembe webani rokuvaRefaimu. Muganhu iwoyo unozobvira pamusoro pegomo iroro wakananga kukasipiti keNafutoa, wokwidza kumaguta okugomo reEfuroni wonanga nokuguta reBhaara ndiro Kiriatijearimu. Muganhu iwoyu waizobva kuBhaara wopindukira kumadokero, wakananga kugomo reSeiri uchipfuura nokumawere okuchamhembe kwegomo reJearimu ndiro Kesaroni wodzika nokuBhetishemeshi uchipfuura nokuTimuna. Muganhu iwoyu waizoenda nokumawere echikomo chiri kuchamhembe kweEkironi wopinduka wonanga kuShikeroni wopfuura wakananga kugomo reBhaara wosvika kuJabhuneeri wondogumira kugungwa. Muganhu wayo wokumadokero iGungwa guru namahombekombe aro. Iyoyi ndiyo miganhu yakapoteredza vemhuri dzokwaJudha. Mukati mevedzinza rokwaJudha, Joshuwa akapa Karebhu mwanakomana waJefune guta reKiriatiaribha, ndirowo reHebhuroni, sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. (Aribha iyeyu aiva baba waAnaki.) Karebhu akadzingamo vanakomana vavaAnaki vatatu ava vanoti: Sheshai naAhimani naTarimai munyika yavo. Achibva ipapo akandorwisa vagari vokuDhebhiri. Kare guta reDhebhiri raimbonzi Kiriatiseferi. Karebhu akati, “Anenge andorwisa akakurira guta reKiriatisefari ndichamupa Akesa mwanasikana wangu kuti ave mukadzi wake.” Otinieri mwanakomana waKenazi munun'na waKarebhu akandorikurira. Ndokubvawo amupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake. Akesa paakauya kwaari akamukurudzira kuti akumbire baba vake munda. Akesa akaburuka padhongi rake. Karebhu ndokumubvunza achiti, “Unodeiko mwanangu?” Iye ndokupindura achiti, “Zvamakandipa nyika yokuNegevhu, ndiitireiwo mwoyochena mundipewo nezvisipiti zvemvura.” Karebhu ndokumupa zvisipiti zvoko zvokumusoro nezvisipiti zvoko zvezasi. Ino iyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaJudha nemhuri dzavo. Maguta evedzinza rokwaJudha, kumaodzanyemba takananga kumuganhu neEdhomu ndeaya: Kwaiti guta reKabhuzeeri neEdheru neJaguri, neKina neDhimona neAdhadha, neKedheshi neHazori neItinani, kwouya Zifu neTeremu neBhearoti, neHazorihadatita neKiriatihezironi, kana kuti Hazori. Kwouyawo reAmamu neShema neMoradha, neHazarigadha neHeshmoni neBhetipereti, neHazarishuari neBheerishebha, neBhiziotia neBhaara neIimu neEzemu, kwoti Eritoradhi neKesiru neHoruma, neZikiragu neMadhimana neSanisana, kwozoti Rebhaoti neShirihimu neAini neRimoni, ose pamwechete aiva makumi maviri amaguta ana maguta mapfumbamwe ane misha yawo. Maguta okunyika yokumanhika ndeaya: kwaiti guta reEshitaori neZora neAshina, neZanoa neEniganimu neTapua neEnamu, kwoti Jarimuti neAdhuramu neSoko neAzeka, neSharaimu neAdhitiaimu neGedhara neGedherotiaimu, ose pamwechete aiva maguta gumi namana ane misha yawo. Kuchitiwo reZenani neHadhasha neMigidharigadhi, neDhireani neMizipe neJoktieeri, kukati Rakishi neBhozikati neEgironi, neKabhoni neRahimasi neKitishi, kwouya Gedheroti neBhetidhagoni neNaama neMakedha, ose pamwechete aiva maguta gumi namatanhatu ane misha yawo. Kwouyawo guta reRibhuna neEteri neAshani, nereIfuta neAshina nereNezibhu, neKeira neAkizibhu neMaresha, ose pamwechete aiva maguta mapfumbamwe ane misha yawo. Kwaizoti Ekironi notumaguta twaro nemisha yaro yaibvira kuEkironi kusvikira kugungwa, neose zvawo aiva pedyo neguta reAshidhodhi nemisha yawo. Iro Ashidhodhi notumaguta twaro nemisha yaro, neGaza notumaguta twaro nemisha yaro kusvikira kukakova keIjipiti nekumahombekombe kwegungwa Guru. Kwozotiwo omunyika yemakomo aiti: guta reShamiri neJatiri neSoko neDhana neKiriatisana, ndiro Dhebhiri, kwotiwo Anabhu neEshitemo neAnimu, neGosheni neHoroni neGiro ose pamwechete aiva maguta gumi nerimwechete aine misha yawo. Kwouyawo Arabhu neDhuma neEshani, neJanimu neBhetitapua neAfeka neHumuta, neKiriatiaribha ndiro Hebhuroni, neZiori ose pamwechete aiva maguta mapfumbamwe aine misha yawo. Kwochiti Maoni neKarimeri neZifu neJuta, neJezireeri neJokidheamu neZanoa, neKaini neGibhea neTimuna ose pamwechete aiva maguta gumi aine misha yawo. Kuchizoti Harihuru neBhetizuru neGedhori, neMaarati neBhetianoti neEritekoni, ose pamwechete aiva maguta matanhatu ane misha yawo. Ndokuzouya reKiriatibhaari, ndiro Kiriatijearimu, kwoti reRabha aya aiva maguta maviri aine misha yawo. Ndokuzotiwo maguta okurenje aiti Bhetiarabha neMidhini neSekaka neNibhushani rainziwo, “Guta roMunyu neguta reEnigedhi,” ose pamwechete aiva maguta matanhatu aine misha yawo. Vedzinza rokwaJudha havana kukwanisa kudzinga vaJebhusi vagari vomuJerusaremu. Saka vaJebhusi ivava vagere nevokwaJudha muJerusaremu kusvikira pari nhasi. Nyika yakagoverwa vokwaJosefi, yaibvira muna Jorodhani pedyo neJeriko kumabvazuva kwematsime emvura yeJeriko zvichienda kugwenga rinobvira kuJeriko richienda kunyika yamakomo kusvikira kuBhetieri. Yaizobvira kuBhetieri yonanga nokuguta reRuzi yoenda kuAtaroti, nyika yevokwaAki. Yozodzika yakananga kumadokero kumuganhu nevaJafureti kusvikira kumuganhu weBhetihoroni yezasi, yoenda kuGezeru yondosvika kugungwa reMedhiterenieni. Saka vedzinza rokwaManase nerokwaEfuraimu, vokwaJosefi vakagoverwa nhaka yavo. Nyika yevedzinza rokwaEfuraimu nemhuri dzavo yakanga yakamira yakadai: Muganhu wenhaka yavo iyi kumabvazuva waiva Atarotiadha kusvikira kuBhetihoroni yokumusoro, wobva wananga kugungwa reMedhiterenieni wakaisa Mikimetati kuchamhembe, wopota nokuTaanatishiro wakananga kumabvazuva wopfuurapo uchingoenda kumabvazuva wosvika kuJanoa. Waizobva kuJanoa wodzika kuAtaroti nokuNaara wobva wasvika kuJeriko uchindosvika muna Jorodhani. Kubvirawo kuTapua, muganhu uyu waienda kumadokero kundosvika kukakova keKana uchindosvika kugungwa reMedhiterenieni. Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaEfuraimu nemhuri dzavo. Zvaisanganisirawo maguta akanga apiwa vedzinza rokwaEfuraimu mukati menhaka yakagoverwa vedzinza raManase, maguta iwayo ose nemisha yawo. VokwaEfuraimu ava havana zvavo kudzinga vaKanani vaigara muGezeru. Saka vaKanani vagere pakati pevokwaEfuraimu kusvikira pari nhasi, asi vava kungogara vachivaitira basa zvechibharo. Nyika yakagoverwawo vedzinza rokwaManase nokuti iyeyu ndiye aiva dangwe raJosefi. Makiri dangwe raManase baba waGireadhi vakapiwa nyika yeGireadhi neyeBhashani nokuti akanga ari munhu wehondo. Dzimwe mhuri dzosewo dzedzinza rokwaManase dzakagoverwawo nyika dzaiti: mhuri yokwaAbhihezeri naHereki naAsirieri naShikemu naHeferi naShemidha. Ndovechirume vedzinza rokwaManase mwana waJosefi mhuri nemhuri. Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi mwanakomana waGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase, akanga asina vana vakomana achingova navasikana chete vaiti: Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza. Vakaenda kuna vava vaiti: mupristi Ereazari naJoshuwa mwana waNunu navatungamiri vakati, “Tenzi akaudza Mosesi kuti tinofanira kupiwa nhaka pakati pehanzvadzi dzedu.” Naizvozvo sokutaura kwakaita Tenzi akavapa nhaka pakati pavakoma navanun'una vababa vavo. Zvakazoitika ndezvokuti dzinza rokwaManase rakazowana migove gumi tisingaverengere nyika yeGireadhi neyeBhashani iri kumhiri kwaJorodhani, pari pamusana pokuti vanasikana ivava vokwaManase vakagoverwawo nhaka pakati pavana vokwaManase vechikomana. Nyika yeGireadhi ndiyo yakagoverwa vamwe vokwaManase. Muganhu wenyika yokwaManase iyi unobvira Asheru kusvikira kuMikimetati kumabvazuva kweShekemu wodzika kumaodzanyemba kuvanhu vokuEnitapua. Nyika yeTapua ndeyevokwaManase asi guta reTapua riri pamuganhu waManase nderevokwaEfuraimu. Muganhu iwoyu waizodzika wosvika kukakova keKana. Maguta ose okumaodzanyemba kwekakova ikaka ndokwaEfuraimu kunyange zvazvo ari mukati memaguta okwaManase. Muganhu uyu wokwaManase waizokwidza nokuchamhembe kwekakova ikaka uchindoperera kugungwa reMediterenieni. Nyika yokumaodzanyemba kwako ndeyokwaEfuraimu yokuchamhembe kwako ndeyokwaManase, ukuwo gungwa ririwo muganhu, kuchamhembe kwayo inondosvika kunyika yevokwaAsheru, kumabvazuva ichindoganhurana novokwaIsakari. VokwaManase ivava vaivawo namaguta munyika yevokwaIsakari neyokwaAsheru aiti: Bhetisheani nemisha yaro, nereIbhureamu nemisha yaro. Vagotiwo maguta ano aya navagari vawo anoti: guta reDhoru nemisha yaro nereEndori nemisha yaro neTaanaki nemisha yaro neMegidho nemisha yaro pane aya rechitatu rawo ndiro Nafati. Asi vokwaManase havana kukwanisa kukurira maguta iwayo nokuti vaKanani vakarambira munyika iyoyo. VaIsiraeri pavakazenge vava namasimba vakazovaitisa basa rechibharo, asi havana kubva vavadzinga zvokuvapedzeredza. Vemba yokwaJosefi vakati kuna Joshuwa, “Ko madarireiko kungotipa mugove wenhaka mumwechete chete kudai isu takawanda kwazvo kudai mudzinza medu nokukomborerwa kwatakaitwa naTenzi.” Joshuwa akavati, “Kana zvirizvo kuti makawanda kudaro, nyika iyoyo yemakomo yokwaEfuraimu yakuitirai duku duku, chiendai zvenyu kumasango kunyika yavaPerizi neyavaRefaimu muzvitemere makombo.” Vedzinza raJosefi vakati, “Nyika yemakomo haitikwaniri. Chimwewo ndechokuti vaKanani vagere kubani vane ngoro dzehondo dzesimbi, kunoti: vamwe vagere kuBhetisheani nemisha yaro kwouya vamwe vari kubani reJezireeri.” Joshuwa akaudza vemba yokwaJosefi, vedzinza reEfuraimu neraManase achiti, “Makawanda imi uye mune simba guru. Hazvingaiti kuti muve nomugove wenhaka mumwechete chete. Zvino nyika yemakomo ichava yenyu. Kunyange zvazvo iri sango kudaro, ritemei muiite yenyu kusvikira kwokupedzesera chaiko kwemiganhu yavo nokuti munofanira kudzinga vaKanani kunyange zvazvo vakasimba vaine ngoro dzehondo dzesimbi.” Zvino gungano rose ravaIsiraeri rakaungana kuShiro, rikadzika tendhe rokusanganira ikoko, nyika iyoyo yakanga yatova mumaoko avo. Asi kwakange kuchine madzinza manomwe avaIsiraeri akanga asati atora nyika yawo yenhaka. Joshuwa akataurira vaIsiraeri achiti, “Kusvikira riniko muchingoverengera kudai, musingandotora nyika iyi yamakapiwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu kuti ive yenyu? Ndipei varume vatatu vatatu padzinza ndivatume kuti vasimuke vandomema nyika iyi yose, vanyore vachiitsanangudza maererano nenhaka ichava yedzinza nedzinza, vozodzokera kuno kwandiri. Ngavaikamure muzvikamu zvinomwe. VokwaJudha ngavarambe vari kumaodzanyemba, vokwaJosefiwo vari kwavo kuchamhembe. Munonyora muchitsanangudza zvikamu izvozvo zvinomwe mouya nazvo kuno kwandiri, ndikuitirei chin'ange pana Tenzi, Mwari wedu. Asi vaRevhi havana mugove wenyika wavanowana pakati penyu nokuti upristi hwaTenzi ndonhaka yavo. Kana vari vokwaGadhi nevokwaRubheni nechimwe chikamu chevokwaManase vakatogoverwa kare nhaka yavo naMosesi muranda waTenzi, kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani.” Varume vokundomema nyika vakasimuka vakapinda munzira. Joshuwa akavakomera achiti, “Chiendai mufambe nyika yose iyoyo muchiimema, muchinyora mamiriro ayakaita mugozodzoka kuno kwandiri ndikuitirei chin'ange pano paShiro pana Tenzi.” Saka varume ava vakaenda, vakafamba nyika yose iyoyo vachiimema, vachinyora mubhuku mamiriro ayakaita, guta neguta. Vakaiisa muzvikamu zvinomwe, ndokudzokera kwaiva naJoshuwa kumatendhe kuShiro. Joshuwa akavaitira chin'ange chiya kuShiro pana Tenzi, akagovera vaIsiraeri nyika ipapo achipa dzinza nedzinza nyika yaro. Mugove wakapiwa vedzinza rokwaBhenjamini mhuri nemhuri ndiwo wakatanga kubuda pachin'ange. Vakagoverwa nyika iri pakati penyika yedzinza rokwaJudha neyedzinza rokwaJosefi. Muganhu wayo wokuchamhembe waibvira muna Jorodhani woenda nokumateru okuchamhembe kweJeriko. Hoyo wokwidza nomunyika yemakomo nechokumadokero kusvikira kurenje reBhetiavheni. Waizobva ipapo wakananga kumateru okumaodzanyemba kweguta reRuzi ravakunzi Bhetieri wodzika wakananga kuAtarotiadhori pamakomo okumaodzanyemba kweBhetihoroni yezasi. Muganhu wayo wokumadokero unotangira pachikomo chakatarisana neguta reBhetihoroni chiri kumaodzanyemba kwaro. Wozobvapo wakananga kumaodzanyemba kusvikira, kuKiriatibhaari ndiro guta reKiriatijearimu, guta revedzinza rokwaJudha. Iwoyu ndomuganhu wayo wokumadokero. Muganhu wayo wokumaodzanyemba waibvira kunoperera guta reKiriatijearimu wombonanga kumadokero wosvika kutsime remvura reNefutoa. Waizondosvika mujinga megomo rakatarisana nebani romwanakomana waHinomu kuchamhembe kwebani ravaRefaimu. Waizoti tande nebani iroro wopfuura nokumateru okumaodzanyemba kwavaJebhusi uchidzika kusvikira kuEnirogeri. Waibva ipapo wonanga kuchamhembe kusvika kuEnishemeshi, woramba uchienda kudzamara wasvika kuGeriroti rakatarisana nomupata weAdhumimu, wozondosvika kuDombo raBhohani mwanakomana waRubheni. Muganhu iwoyu unopfuura wakananga kumateru okuchamhembe kweBhetiarabha, kusvikira kunyika yeArabha. Waizopfuurapo wakananga kumateru okuchamhembe kweguta reBhetihogira, wondosvika kumahombekombe okuchamhembe kwegungwa roMunyu, kumaodzanyemba kwaJorodhani pamadiro arwo. Iwoyu ndomuganhu wayo wokumaodzanyemba. Rwizi rwaJorodhani ndiwo munganhu wayo wokumabvazuva. Iyoyi ndiyo nhaka yemhuri yedzinza rokwaBenjamini mhuri nemhuri nemiganhu yayo kumativi ose. Maguta evedzedzinza rokwaBhenjamini mhuri nemhuri ndiwo aya. Kunoti guta reJeriko neBhetihogira neEmekikezizi, neBhetiarabha neZemaraimu neBhetieri, neAvhimu nePara neOfura, neKefariamoni neOfuni neGebha, ose pamwechete aiva maguta gumi namaviri nemisha yawo; kwouya reGibheoni neRama neBheeroti, neMizipa neKefira neMoza, neRekemu neIripeeri neTarara neZera; Kwozoti guta reZera neHaerefu neJebhusi rakazonzi Jerusaremu, ndokuzouya guta reGibhea neKiriatijearimu. Ose pamwechete aiva gumi ramaguta rina maguta mana. Iyoyi ndiyo nhaka yemhuri dzedzinza rokwaBhenjamini. Mugove wakapiwa vedzinza rokwaSimeoni mhuri nemhuri ndiwo wakatevera kubuda pachin'ange. Vakagoverwa nyika yenhaka yavo mukati menyika yedzinza rokwaJudha. Maguta omunyika yenhaka yavo ndeaya: kunoti reBheerishebha neMoradha, kwoti reHazorishuarinebhara, kwozoti reEritoradhi neBheturu neHoruma. Kwouyawo reZikiragi neBhetimarikabhoti neHazarisusa, kwotiwo Bhetirebhaoti neSharuheni pamwechete aiita maguta gumi namatatu nemisha yawo. Kwaizotiwo guta reAini neRimori neEteri neAshani pamwechete aita maguta mana nemisha yawo. Nemisha yomunharaunda memaguta iwayo kusvikira kuBhaaratibheeri neguta reRama, rokuNegevhu. Iyoyo ndiyo nyika yenhaka yedzedzinza rokwaSimeoni mhuri nemhuri. Nyika yenhaka yevedzinza rokwaSimeoni yaiva mukati menyika yenhaka yevokwaJudha nokuti mugove wevokwaJudha wakanga wakakurisa kwavari. Saka vedzinza rokwaSimeoni vakazowana nhaka yenyika mukati menyika yenhaka yevokwaJudha. Mugove wakapiwa vedzinza rokwaZebhuruni mhuri nemhuri ndowakava wechitatu kubuda pachin'ange. Muganhu wenyika yavo yenhaka yaindosvika kuSaridhi. Waizobva wonanga nokumadokero kusvikira kuMareari uchindobatana neDhabhesheti wondosvika kukakova kari kumabvazuva kweJokuneamu. Waibvirawo kuSaridhi wonanga nechokumabvazuva kusvikira kumuganhu neKisirotitabhori wopfuura wosvika kuDhabherati hoyo wokwidza kuJafia. Waizobva ipapo woti tande wakananga kumabvazuva kusvikira kuGatiheferi nokuEtikazini wonanga kuRimoni uchipota nokuNea. Kuchamhembe, muganhu wayo unopinduka wakananga kuHamatoni uchindoperera kubani reIfutaheri. Guta reKatati nereNaharari neShimuroni neIdhara neBheterehemu aivawo avo, ose pamwechete aiva maguta gumi namaviri nemisha yawo. Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaZebhuruni mhuri nemhuri maguta iwayo nemisha yawo. Mugove wakagoverwa vedzinza rokwaIsakari mhuri nemhuri ndiwo wakava wechina kubuda. Maguta omunyika yavo ndeaya: Kunoti guta reJezireeri neKesuroti neShunemu; kwouya reHafaraimu neShioni neAnaharoti; kwoti reRabhiti neKishioni neEbhezi. Kwozoti reRemeti neEniganimu neEnihadha neBhetipazezi. Muganhu wayo waindosvika napaTabhori napaShahazuma napaBhetishemeshi wondoperera muna Jorodhani. Ose pamwechete aiva maguta gumi namatanhatu nemisha yawo. Iyoyi ndonhaka yevedzinza rokwaIsakari mhuri nemhuri maguta acho nemisha yawo. Mugove wakagoverwa vedzinza rokwaAsheru mhuri nemhuri ndiwo wakava wechishanu kubuda. Maguta omunyika yavo ndeaya: Kunoti guta reHerikati neHari neBheteni neAkishafu, kwouya reAramumereki neAmadhi neMishari. Kumadokeri, yaindosvika kuKarimeri nokuShihoriribhunati. Kumabvazuva yaitenderera yondosvika kuBhetidagoni nokuZebhuruni heyo kubani raIfutaeri yonanga kuchamhembe yosvika kuBhitiemeki nokuNeieri yoramba ichienda kuchamhembe kusvikira kuKabhuru, neEbhuroni neRehobhu neHamoni neKana kudzamara muSidhoni romukurumbira. Muganhu wayo waizotendeuka wonanga kuRama uchindosvika kuguta retsvingo, reTire wopinduka wosvika kuHosa ichindosvika kugungwa reMedhiterenieni. Kwouyawo guta reMaharabhu neAkizibhu neUma neAfeki neRehobhu. Ose pamwechete aiva makumi maviri amaguta ana maguta maviri nemisha yawo. Iyoyi ndonhaka yevedzinza rokwaAsheru mhuri nemhuri maguta iwaya nemisha yawo. Mugove wakagoverwa vedzinza rokwaNafutari mhuri nemhuri ndiwo wakava wechitanhatu kubuda. Muganhu wenyika yavo waibvira kuHerefu pamuti womuoku wokuZaananimu uchienda nokuAhaminekebhu nokuJabhuneeri kusvikira kuRakumu uchindosvika muna Jorodhani. Waizobvapo wonanga kumadokero kuAzinotitabhori, wobva ipapo wondosvika kuHukoki wosvika kumaodzanyemba kumuganhu nevokwaZebhuruni. Kumadokero yaiganhurana nevokwaAsheu, kumabvazuva ichiganhurwa naJorodhani. Maguta acho ane tsvingo ndeaya: kunoti guta reZidhimu neZeri neHamati neRakati neKinereti; Kwoti reAdhama neRama neHazori neKedheshi neEdhirei neEnihazori, kwouya reYironi neMigidhareri neHoremu neBhetianoti neBhetishemeshi. Ose pamwechete aiva gumi ramaguta rina maguta mapfumbamwe nemisha yawo. Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaNafutari mhuri nemhuri maguta acho nemisha yawo. Mugove wakagoverwa vemhuri dzedzinza rokwaDhani ndiwo wakava wechinomwe. Maguta omunyika yavo yenhaka ndiwo aya kunoti: guta reZora neEshitaori neguta reIrishemeshi. Kwoti reShaarabhini neAijaroni neItira. Kwoti reEroni neTimuna neEkironi, neEriteke neGibheoni neBhaarati, neJehudhi neBhenebheraki neGatirimoni. Ndokuzouya guta reMejarikoni neRakoni pamwechete nenyika yakatarisana neJopa. Vedzinza rokwaDhani pavakarasikirwa nenyika yavo, vakandorwisa guta reReshemu. Vakarikurira vakauraya namapakatwa vanhu vomo, vakariita ravo. Vakatumidza guta iri reReshemu zita ratateguru wavo rokuti Dhani. Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaDhani mhuri nemhuri namaguta iwaya nemisha yawo. VaIsiraeri vakati vapedza kugovera nyika, vakapawo Joshuwa mwanakomana waNunu nhaka mukati mavo. Sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTenzi vakamupa guta raakanga akumbira reTimunatisera romunyika yaEfuraimu yemakomo. Akarivaka patsva ndokubva agaramo. Idzi ndidzo nhaka dzakagoverwa nomupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni navakuru vakuru vamadzinza avaIsiraeri. Vakaigoveranisira kuShiro, nechin'ange pana Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira vakabva vapedza zvavo kugoveranisa nyika iyoyo. Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Taurira vaIsiraeri kuti vasarudze maguta okupotera andakati Mosesi akuudzei. Ndeekuti munhu anenge auraya mumwe zvetsaona kana mukusaziva atizire ikoko. Achava nzvimbo dzenyu dzokupotera kuti mudzivirirwe kuhama yomufi ine basa rokutsividza ropa romushakabvu. Anofanira kutizira kune rimwe ramaguta iwayo agondomira kusuo guru reguta iroro orondedzera mhosva yake kudare ravakuru vakuru veguta iroro. Ipapo vanofanira kumugamuchira muguta imomo vagomupa pokugara, agare zvake navo. Kana uya ane basa rokutsividza ropa romushakabvu akamuronda, havafanire kuisa nyakuuraya mumwe mumaoko ake nokuti akauraya mumwe wake mukusaziva asina kumbenge achivengana naye kare. Acharamba ari muguta imomo kudzamara mhosva yake yapinda mudare atotongwa kana kuti kusvikira panofa mupristi mukuru wenguva iyoyo. Panenge padaro, nyakuuraya mumwe uya anogona zvake kuzodzokera kuguta rokwake, kumusha kwake kuguta kuya kwaakambotiza.” Saka maguta avakasarudza ndeaya kunoti Kadheshi rokuGarireya riri munyika yamakomo yokwaNafutari kwouya reShikemu riri munyika yemakomo yokwaEfuraimu kwoti reKiriatiaribha ndiro Hebhuroni riri munyika yemakomo yokwaJudha. Mudzinza rokwaRubheni kumabvazuva kweJeriko kumhiri kwaJorodhani vakasarudza guta reBhezeri riri munyika yerenje yakatunhumara. Mudzinza rokwaGadhi vakasarudza guta reRamoti riri muGireadhi. Mudzinza rokwaManase vakasarudzawo guta reGorani riri muBhashani. Maguta iwaya ndiwo akasarudzirwa vaIsiraeri vose pamwechete navatorwa vavagere navo okuti munhu anouraya mumwe mukusaziva awane kwokupotera arege kuurayiwa nouya ane basa rokutsividza ropa romuchakabvu kusvikira mhosva yake yapinda mudare yatongwa. Vakuru vakuru vemhuri dzokwaRevhi vakaenda kune vanhu ava vanoti; mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni navakuru vakuru vemhuri dzavaIsiraeri. Vakataura navo vari kuShiro munyika yeKanani vachiti, “Tenzi akaudza Mosesi kuti isu tinofanira kupiwa maguta okugara ana mafuro emombe dzedu.” Saka sokutaura kwaTenzi vaIsiraeri vakapa vaRevhi nhaka yavo yamaguta ano aya namafuro awo. Mugove wakagoverwa vokwaKohati mhuri nemhuri ndiwo wakatanga kubuda pachin'ange. Saka vaRevhi vemba yomupristi Aroni vakapiwa maguta gumi namatatu omudzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni nerokwaBhenjamini. Vamwe vose zvavo vemhuri yokwaKohati vakapiwa gumi ramaguta omunyika yokwaEfuraimu neyokwaDhani neyechimwe chikamu chevokwaManase. VokwaGerishoni vakagoverwa nechin'ange maguta gumi namatatu omunyika yokwaIsakari neyokwaAsheru neyokwaNafutari neyechimwe chikamu chevokwaManase vokuBhashani. VokwaMerari vakapiwa mhuri nemhuri maguta gumi namaviri omunyika dzevedzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nerokwaZebhuruni. Saka vaIsiraeri vakagovera vaRevhi nechin'ange maguta iwayo namafuro awo sezvakanga zvaudzwa Mosesi naTenzi. Mudzinza rokwaJudha neraSimeoni vakapiwa maguta akaita zvokudomwa namazita. Maguta iwayo akapiwa vemhuri yokwaAroni, vaRevhi vemba yokwaKohati nokuti mugove wavo ndowakatanga kubuda pachin'ange. Vakavapa Kiriatiaribha, ndiro guta reHebhuroni. (Aribha uyu aiva baba waAnaki.) Vakapiwa guta irori riri munyika yamakomo yokwaJudha pamwechete namafuro akaripoteredza. Asi minda yaro nemisha yaro zvakanga zvapiwa kare kuna Karebhu mwanakomana waJefune kuti zvive zvake. Vakapa vemhuri yomupristi Aroni maguta aya anoti Hebhuroni, guta rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera, pamwechete namafuro aro vakavapawo guta reRibhuna namafuro aro; kwouyawo reJatiri namafuro aro nereEshitemoa namafuro aro, neHoroni namafuro aro neDhebhiri namafuro aro; kwoti guta reAini namafuro aro neJuta namafuro aro neBhetishemeshi namafuro aro. Ose pamwechete aiva maguta mapfumbamwe omudzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni. Maguta avakapiwa omudzinza rokwaBhenjamini ndeaya kunoti guta reGibheoni namafuro aro neGebha namafuro aro; kwouya Anatoti namafuro aro neArimoni namafuro aro pamwechete aiva maguta mana. Saka maguta akapiwa vapristi vemba yokwaAroni ose pamwechete aiva gumi namatatu, namafuro awo. Kune vamwe vose vokwaKohati vakanga vasara vemhuri dzevokwaKohati vomudzinza rokwaRevhi wakapiwa maguta omudzinza rokwaEfuraimu. Vakapiwa maguta aya anoti: Shikemu guta romunyika yaEfuraimu yemakomo, namafuro aro rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera, kwouya Gezeri namafuro aro, neKibhuzaimu namafuro aro, neBhetihoroni namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta mana. Maguta avakapiwa omudzinza rokwaDhani ndeaya: kunoti guta reEriteke namafuro aro, neGibhetoni namafuro aro, kwoti Aijaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro, Ose pamwechete aiva maguta mana. Maguta avakapiwa mune chimwe chikamu chedzinza rokwaManase ndeaya. Kunoti guta reTanaki namafuro aro neGatirimoni namafuro aro, aiva maguta maviri. Maguta emhuri idzi dzokwaKohati dzakanga dzasara ose zvawo pamwechete aiva gumi, aiva namafuro awo. VaRevhi vemhuri yokwaGerishoni vakagoverwa maguta mune chimwe chikamu chevedzinza raManase anoti: guta reGorani rokuBhashani namafuro aro, rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera kwouya Beeshitera namafuro aro, aiva maguta maviri. Mudzinza rokwaIsakari vakapiwa maguta aya anoti guta reKishioni namafuro aro, nereDhabherati namafuro aro, neJarimuti namafuro aro, neEniganimu namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta mana. Mudzinza rokwaAsheri vakapiwa maguta aya anoti: guta reMishori namafuro aro, neAbhudhoni namafuro aro. Kwouya reHerikati namafuro aro, neRehobhu namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta mana. Mudzinza rokwaNafutari vakapiwa maguta aya anoti: Kedheshi riri kuGarirea namafuro aro, rokuti munhu anenge auraya mumwe awane, kwokupotera, kwouya guta reHamatidhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta matatu. Maguta emhuri dzose dzokwaGerishoni ose zvawo pamwechete aiva gumi namatatu aivawo namafuro awo. Kune vose vaRevhi vakanga vasara vemhuri dzokwaMerari vakapiwa maguta mudzinza rokwaZebhuruni aya anoti: guta reJokineamu namafuro aro neKarita namafuro aro; Kwoti Dhimuna namafuro aro neNaharara namafuro aro ose pamwechete aiva maguta mana. Mudzinza rokwaRubheni vakapiwa maguta aya anoti: guta reBhezeri namafuro aro neJahazi namafuro aro kwouya Kedhemoti namafuro aro neMefaati namafuro aro. Ose pamwechete aiva maguta mana. Mudzinza rokwaGadhi vakapiwa maguta aya anoti: guta reRamoti riri kuGireadhi namafuro aro, rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera. Kwouya reMahanaimu namafuro aro neHeshibhoni namafuro aro neJazeri namafuro aro; ose pamwechete aiva maguta mana. Saka maguta emhuri dzavamwe vaRevhi vose, vakanga vasara vemhuri dzokwaMerari ose pamwechete aiva gumi namaviri. Naizvozvo maguta avaRevhi avakapiwa pamwechete namafuro awo mukati menyika yavaIsiraeri yenhaka aiva makumi mana ana masere. Pamaguta ose iwaya, guta roga roga rakanga rakapoteredzwa namafuro; ndozvakanga zvakaita maguta iwayo ose. Nokudaro Tenzi akapa vaIsiraeri nyika yose yaakatsidzira kupa kumadzibaba avo. Vakaitora ikava yavo ndokubva vagaramo. Tenzi akavapa runyararo kumative ose sokutsidza kwaakaita kumadzibaba avo. Hakuna kana nomumwe wavavengi vavo akagona kumirisana navo nokuti Tenzi akaisa vavengi vavo vose mumaoko avo. Hakuna kana chinhu chimwechete chakanaka chakanga chatsidzirwa vaIsiraeri naTenzi chisina kuzoitika, zvose zvakaitika. Joshuwa akadaidza vedzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase akavati, “Makachengeta zvose zvamakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, mukanditeerera pane zvose zvandakakuudzai. Hamuna kana kumbosiyana zvenyu nehama dzenyu nguva yose iyi yanga yakareba kudai kusvikira nhasi uno, asi kutoti manga muchinyatsochengeta zvamakaudzwa naTenzi, Mwari wenyu. Zvino Tenzi Mwari wenyu apa hama dzenyu runyararo sokuvatsidzira kwaakaita. Saka imimi chidzokerai zvenyu kumusha kwenyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waTenzi kumhiri kwaJorodhani, kuti ive yenyu. Nyatsongwarirai kuchengeta mutemo nomurao wamakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, wokuti mude Tenzi, Mwari wenyu, mufambe munzira dzake dzose muteerere mirao yake muti kwati kwati naye, muchimushandira nomwoyo wenyu wose, nomweya wenyu wose.” Saka Joshuwa akavapa chikomborero ndokuvati vaende zvavo, vakaenda kumisha yavo. Zvakanga zvaitika ndezvokuti Mosesi akanga apa chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase nyika yavo kuBhashani, Joshuwa ndokupawo chimwe chikamu chevedzinza irori nyika, pedyo nehama dzavo yokumadokero kwaJorodhani. Pakuonekana navo, Joshuwa akavapa chikomborero achiti kwavari, “Chidzokerai zvenyu kumisha yenyu muine upfumi hwenyu hwakawanda kwazvo, hwamatanga namatanga ezvipfuwo nesirivha nendarira nesimbi, namatutu matutu ehanzu, musvikogoverana nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu. Naizvozvo vokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase vakadzokera kumusha. Vakaonekedzana navamwe vavo vaIsiraeri kuShiro, munyika yeKanani, voenda zvavo kuGireadhi kunyika yavo yavakatora vakaiita yavo sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nokuna Mosesi.” Pavakasvika kunharaunda yokuna Jorodhani munyika yeKanani, vokwaRubheni novokwaManase vakavaka atari huru kwazvo munyasi maJorodhani. Pazvakasvika munzeve dzavamwe vavo vaIsiraeri zvichinzi, “Hezvoka, vokwaRubheni nevokwaGadhi vaya nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase chiya vavaka atari kumuganhu wenyika yeKanani kunharaunda yokunaJorodhani kumhiri ino munyika yavaIsiraeri.” VaIsiraeri pavakazvinzwa, gungano rose ravaIsiraeri rakakokorodzana kuShiro kundovarwisa. VaIsiraeri vakatumira Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari kune vedzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nokune chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase riya kunyika yeGireadhi. Akaenda navatungamiriri gumi, mutungamiriri mumwechete mumwechete pamadzinza gumi avaIsiraeri. Mumwe nomumwe wavo aiva mukuru mukuru wemhuri mumadzinza avaIsiraeri. Vakasvika kune vokwaRubheni nevokwaGadhi nevechimwe chikamu chiya chevokwaManase kunyika yeGireadhi, vakati kwavari, “Chinzwai zvarehwa negungano rose raTenzi, zvanzi, ‘Ko madarirei kupandukira Mwari wavaIsiraeri kudai, motsauka kuna Tenzi nhasi nokutozvivakira zvenyu atari muchipandukira Tenzi? Ko mhosva iya yechitadzo chokuPeori munoti haina kukwana here? Inga mhosva yacho hatisati taishamba wani kusvikira pari nhasi uno. Ndiyo yakaunza denda pagungano raTenzi. Zvamava kutosiyana zvenyu nhasi uno naTenzi. Zvino kana imi mukapandukira Tenzi nhasi uno, mangwana achashatirirwa gungano rose ravaIsiraeri. Ko, kana maona kuti nyika yenyu ino yakan'ora madii kusva mayambukira zvenyu kunyika yaTenzi kune tendhe raTenzi muwane nyika mukati medu. Asi chete musapandukire Tenzi, kana kupandukira isu muchitozvivakira zvenyu atari isiri atari yaTenzi, Mwari wedu. Handiti Akani mwanakomana waZera akapara chitadzo panyaya yezvinhu zvakanga zvaturirwa kuna Tenzi kuti zviparadzwe. Chitadzo chacho hachina here kupfukira gungano rose ravaIsiraeri? Haasiri iye woga akafa pamusana pechitadzo chake.’ ” VokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase ndokupindura vatungamiriri vaya vemhuri dzavaIsiraeri vachiti, “Tenzi, Samasimbaose, ndiye Mwari! Iye Tenzi, Samasimbaose, ndiye Mwari. Ndiye anoziva navaIsiraeri pachavo ngavazivewo kana izvozvi takazviita noumhandupandu kana kuti nokusatendeka kuna Tenzi musatirege tiri vapenyu nhasi uno. Kana takazvivakira atari iyi kuti tikande pasi zvokutevera Tenzi kana kuti tipire pairi mupiro wokupisa, kana kupira pairi mipiro yembesanwa kana mipiro yokuwadzana, Tenzi pachake ngaatitsividze. Aiwa. Takangozviita tichityira kuti, mune ramangwana vana venyu vanozokonora vana vedu vachiti, ‘Muneiwo zvenyu naTenzi, Mwari wavaIsiraeri. Handiti Tenzi akaisa Jorodhani urwu kuti ruve muganhu pakati pedu nemi vokwaRubheni nevokwaGadhi, chenyu muna Tenzi hapana.’ Saka vana venyu vangazoregesa vana vedu kunamata Tenzi. Ndokusaka takati, ‘Ngatidai izvi, ngativakei atari isiri yomupiro wokupisa kana yechibayiro, asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi, uyewo chigozova chapupu pakati pezvizvarwa zvedu zvichauya.’ Chive chinhu chokutipupurira kuti isuwo tinonamata Tenzi kunzvimbo yake tsvene nemipiro yedu yokupisa nezvibayiro zvedu nemipiro yedu yokuwadzana tichiitira kuti mangwana vana venyu vanozoti ‘Chenyu muna Tenzi hapana.’ Takati kana vakawana zvavanozotaura kwatiri, isu tichazoti, ‘Onaika atari iyo yakaita seyaTenzi yakavakwa namadzibaba edu isiri yemipiro yokuwadzana kana yechibayiro asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi.’ Hazvimbofa zvakaitika kuti isu tipandukire Tenzi tokanda pasi nhasi zvokumutevera Tenzi tava kutovaka zvedu atari yomupiro wokupisa kana mupiro wembesanwa kunyange yechibayiro tichisiya atari yaTenzi, Mwari wedu iri kumusuo wetendhe rinoera!” Mupristi Finehasi navatungamiriri vegungano, navakuru vakuru vemhuri dzavaIsiraeri vaaiva navo pavakanzwa zvakataurwa nevokwaRhubheni nevokwaGadhi nevokwaManase, vakafadzwa nazvo. Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari akataurira vokwaRubheni nevokwaGadhi nevokwaManase achiti, “Nhasi tazoziva kuti Tenzi ari pakati pedu nokuti hamuna kuzviita muchipandukira Tenzi. Zvino mazonunura vaIsiraeri mumaoko aTenzi. Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari navatungamiriri vaya vakadzokera zvavo kunyika yeKanani neshoko kuvaIsiraeri vachibva kunyika yeGereadhi kune vokwaRubheni nevokwaGadhi. Shoko iroro rakafadza vaIsiraeri. VaIsiraeri vakarumbidza Tenzi uye havana kana kuzotaura nezvokuvarwisa muhondo kuti vaparadze nyika yaigara vokwaRubheni nevokwaGadhi. VokwaRubheni nevokwaGadhi vaya vakatumidza atari iya kuti chapupu vachiti, ‘Ndiyo chapupu pakati pedu chokuti Tenzi ndiMwari.’ ” Kwakati kwapera nguva ndefu mushure nokunge Tenzi apa vaIsiraeri runyararo kumativi ose vasisina kana mhandu zvayo yaivanetsa, iye Joshuwa akwegura makore ake aendedzana. Joshuwa akadaidza vaIsiraeri vose navakuru vakuru vavo navatungamiriri navatongi namachinda akati kwavari, “Ini ndachembera, mazuva angu aendedzana. Imi makaona zvose zvakaitwa naTenzi Mwari wenyu kumarudzi ose aya pamusana penyu nokuti iye Tenzi Mwari wenyu ndiye aikurwirai. Chionai ndakakugoverai senhaka yamadzinza enyu, nyika dzose dzendudzi dzavanhu dzisati dzakurirwa pamwechete nedzandakakurira kubvira kuna Jorodhani kusvikira kuGungwa guru kumadokero. Tenzi Mwari wenyu achakudzingirai achikutandanisira vanhu ivavo imi muchizotora nyika iyoyo sokutaura kwakaita Tenzi Mwari wenyu kwamuri. Naizvozvo ivai nomwoyo wechivindi chaiwo muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo waMosesi. Musawane chimwe chamunotsaudzira pauri muchienda uku kana uku. Ndinodariro kuti murege kufambidzana nokudyidzana namarudzi akasara kuno ari mukati menyu modoma mazita avamwari vavo kana kupika navo kana kuvanamata kana kuvapfugamira. Asi imi munofanira kuramba makati kwati kwati naTenzi Mwari wenyu sezvamaita kusvikira nhasi uno, nokuti Tenzi akakudzingirai ndudzi dzavanhu huru dzine simba uye hapana munhu akagona kumirisana nemi kusvikira pari nhasi. Munhu mumwechete pakati penyu anomhanyisa chiuru chavanhu nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye anokurwirai sokukutsidzirai kwaakaita. Saka nyatsongwarirai kuda Tenzi Mwari wenyu. Asi mukapinduka mowirirana namarudzi aya akasara mukati menyu moroorerana navo vakadzi, nyatsozivai zvechokwadi kuti Tenzi Mwari wenyu haazoramba achikudzingirai marudzi, asi ivo vachava riva nechinhu chinokuteyai neshamhu inokurovai mativi neminzwa mumaziso enyu kudzamara matsakatika munyika ino yakanaka yamapiwa naTenzi Mwari wenyu. “Chionai ini ndava kuendawo kunoenda vamwe imi mose munonyatsozviziva mumwoyo menyu mose iyemi pachenyu kuti hakuna kana chinhu chimwechete zvacho chakanaka chakavimbiswa pamusoro penyu chisina kuitika, zvose zvakaitirwa imi, hapana chakakundika. Sokuzadzikisirwa kwakangoitwa zvinhu zvakanaka zvose zvamakavimbiswa naTenzi, saizvozvowo Tenzi achazongoitawo kuti zvakaipa zvose zvikuwirei kusvikira akutsakatisai munyika ino iyi yakanaka yamakapiwa naiye Tenzi, Mwari wenyu. Nokudaro mukatyora chitenderano chaTenzi, Mwari wenyu chaakakuudzai, mukandonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, Tenzi ndopaachakuvirukirai nehasha, mugokurumidza kutsakatika munyika yakanaka yaakakupai.” Joshuwa akaunganidza madzinza ose avaIsiraeri kuShikemu. Akadaidzawo vakuru vakuru vavo navatungamiriri vavo navatongi namachinda eIsiraeri, vakauya pana Mwari. Joshuwa akataurira vanhu vose ivava achiti, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Madzitateguru enyu aigara kumhiri kwaYufuratesi, Tera baba waAbhurahamu naNahori vainamata vamwe vamwari. Ndakazotora tateguru wenyu Abhurahamu kumhiri kwerwizi ndikamufambisa nenyika yose yeKanani ndikamupa vana vakawanda. Ndakamupa Isaki, Isaki ndikamupawo Jakobho naEsau. Ndakapa nyika yeSeiri yamakomo kuna Esau kuti ive yake, asi Jakobho navana vake vakadzika kuIjipiti. Ndakatumirako Mosesi naAroni, ndikaonesa Ijipiti nhamo nezvandakaita mukati mayo shure kwaizvozvo, ndikazokuburitsaiko. Ndakaburitsa madzibaba enyu muIjipiti mukasvika kugungwa. VaIjipiti vakaronda madzibaba enyu nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo kusvikira kugungwa Dzvuku. Vakachema kuna Tenzi kuti avabatsire, akabva aisa rima rakati ndo-o pakati penyu navaIjipiti. Akaunza gungwa akavafushira naro. Imi nameso enyu makaona zvandakaita kuIjipiti. Makazogara murenje kwenguva ndefu. Ndakakuunzai kunyika yavaAmori vaigara kumhiri kwaJorodhani. Vakakurwisai, asi ndakavaisa mumaoko enyu, ndakakuparadzirai vanhu ivavo, imi mukavatorera nyika yavo kuti ive yenyu. Kwakazomuka mambo weMoabhu, Bharaki mwanakomana wavaZipori akarwisa vaIsiraeri akatumira nhume kundodaidza Bhiriamu mwanakomana waBheori kuti arengererei rushambwa. Asi ndakaramba kuteerera Bhiriamu, akatokukomborerai kwazvo kwazvo ndikakununurai mumaoko ake. Makazoyambuka Jorodhani mukasvika kuJeriko. Machinda okuJeriko akakurwisai sezvakazoitwawo navaAmori navaPerizi navaKanani navaHiti navaGirigashi navaHivhi navaJebhusi ndakavaisa mumaoko enyu. Ndakafanotumira madzimambo maviri aya avaAmori mweya wokutyai imi samago, vakafanokutizai. Haasi mapakatwa enyu kana miseve yenyu yakaita izvozvi. Ndakakupai minda yamusina kumbounda namaguta amusina kuvaka mamugere, muchidya zvenyu michero yeminda yemigirepisi neyemiorivhi yamusina kumbosima.’ “Saka zvino ityai Tenzi mumunamate nomwoyo wose muchokwadi, rasai vamwari vainamatwa namadzitateguru enyu kumhiri kwerwizi kuya nokuIjipiti, munamate Tenzi. Kana imi musingadi kunamata Tenzi chisarudzai nhasi uno wamunoda kunamata pana vamwari vainamatwa namadzibaba enyu kumhiri kwerwizi kana vamwari vavaAmori vomunyika ino yamugere. Asi ini nemhuri yangu tichanamata Tenzi.” Vanhu ndokuti, “Hatimbofa takafuratira Tenzi tichindonamata vamwe vamwari nokuti Tenzi, Mwari wedu ndiye akatiburitsa isu namadzibaba edu munyika yeIjipiti muuranda, akaita zviratidzo zvikuru zviya tichiona nameso edu. Akatichengeta murwendo rwedu rwose nomukati memarudzi mataipfuura namo. Tenzi akafanotidzingira marudzi ose navaAmoriwo vaigara munyika ino. Naizvozvo kana nesuwo tichanamata Tenzi nokuti ndiye Mwari wedu.” Asi Joshuwa akavati, “Hamungambokwanisi kushandira Tenzi imi nokuti iye ndiMwari mutsvene. NdiMwari weshanje. Haazokuregererai zvikanganiso nezvitadzo zvenyu. Chandinodariro ndechokuti mukazofuratira Tenzi mondonamata vamwari vasirivo achakupindukirai wokuitirai zvakaipa achakuparadzai iye ambenge achikukuitirai zvakanaka.” Vanhu vakati kuna Joshuwa, “Kwete. Tenzi ndiye watichanamata.” Joshuwa ndokuti kwavari, “Iyemi ndimi matova zvapupu zvokuzvipupurira pachenyu kuti masarudza kuti Tenzi ndiye wamuchanamata.” Vakati, “Hongu ndisu zvapupu zvacho.” Joshuwa ndokuti, “Saka chirasai vamwari vasirivo vamunavo, muise mwoyo wenyu kuna Tenzi, Mwari wavaIsiraeri.” Vanhu vakati kuna Joshuwa, “Tenzi Mwari wedu ndiye watichanamata, izwi rake ndiro ratichateerera.” Naizvozvo Joshuwa akaita chitenderano navanhu musi iwoyo, akavapa mitemo nemirao kuShikemu. Ipapo Joshuwa akanyora zvinhu izvozvi mubhuku romutemo waMwari. Akatora zidombo guru akaridzimikira pasi pomuti womuoku, pedyo nenzvimbo yaTenzi inoera. Joshuwa akataurira vanhu vose achiti, “Chionai, zidombo iri richava chapupu chokutipisa mhosva nokuti ranzwa zvose zvataurwa naTenzi kwatiri. Naizvozvo richava chapupu chokukupisai mhosva zvimwe mungadaro mukazoita zvokunyengedza Mwari wenyu.” Joshuwa akazoti vanhu vachienda zvavo kunyika dzenhaka dzavo vachiti uyu kwake uyu kwake. Mushure mezvinhu izvi, Joshuwa mwanakomana waNuni muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore rina makore gumi. Vakamuviga munyika yenhaka yake kuTimunatisera munyika yaEfuraimu yemakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi. VaIsiraeri vakanamata Tenzi panguva yose yaJoshuwa, napamazuva avakuru vakuru vakasiirwa naJoshuwa variko, vakanga vaona basa rose rakanga raitirwa vaIsiraeri naTenzi. Mapfupa aJosefi akanga aunzwa navaIsiraeri pavakabva kuIjipiti vakaaviga kuShikemu munzvimbo yakatengwa naJokobho kuna vaHamori baba waShikemu nezana remari yesirivha. Nzvimbo yacho yakazova nhaka yezvizvarwa zvokwaJosefi. Ereazari mwanakomana waAroni akafawo, vakamuviga kuGibhea muguta raFinehasi mwanakomana wake raakapiwa munyika yemakomo yeEfuraimu. Zvino kuzoti Joshuwa afa, vaIsiraeri vakabvunza kuna Tenzi vachiti, “Ndivanaani pakati pedu vanofanira kutanga kundorwisa vaKanani?” Tenzi akapindura achiti, “VokwaJudha ndivo vanoenda. Izvozvi ndakatoisa nyika iyoyo mumaoko avo.” VokwaJudha vakati kuhama dzavo dzokwaSimeoni, “Hendei tose kunyika yatakagoverwa, tindorwisa vaKanani, isu tizondorwawo saizvozvo pamwechete nemi kunyika yenyu yamakagoverwa.” VokwaSimeoni ndokubva vaenda navo. VokwaJudha vakaenda, Tenzi akaisa mumaoko avo vaKanani navaPerizi. Vakauraya varume gumi rezviuru kuBhezeki. Vakasvikira Adhonibhezeki ari kuBhezeki vakamurwisa vakakurira vaKanani navaPerizi. Adhonibhezeki ndokuti ware kutiza, asi vakamudzingirira, vakamubata, vakamudimura zvara zvake nezvigunwe zvake zvikuru. Adhonibhezeki akati, “Ndaiva namakumi manomwe amadzimambo andakanga ndakadimura zvara zvawo mumaoko nezvigunwe zvawo zvikuru, chokudya vachiita chokutonongerera pasi petafura yangu yandaidyira. Nhasi uno Mwari anditsiva zvandakavaitira.” Vakaenda naye kuJerusaremu akandofirako. Varume vokwaJudha vakarwisawo Jerusaremu vakarikurira vakauraya vanhu vomo namapakatwa, vakaripisa nomoto. Shure kwaizvozvo varume vokwaJudha vakadzika, vakandorwisa vaKanani vaigara kunyika yamakomo, kuNegevhu nokunyika yokumanhika. Vakavinga vaKanani vaigara muguta reHebhuroni, raimbonzi Kiriatiaribha, vakakurira Sheshai naAhimani naTarimai. Vakabva ipapo vakavinga vanhu vaigara muguta reDhebhiri raimbonzi Kiriatiseferi. Karebhu akanga ati, “Anenge arwisa Kiriatiseferi akarikurira ndinomupa mwana wangu Akesa kuti ave mukadzi wake.” Otinieri mwanakomana waKenazi munun'una waKarebhu ndiye akarikurira. Karebhu ndokumupa mwanasikana wake Akesa kuti ave mukadzi wake. Akesa paakauya kwaari, akamukurudzira kuti akumbire baba vake munda. Mukadzi iyeye akajitika padhongi rake, baba vake vakati, “Unodeiko mwanangu.” Mukadzi uyu akati, “Zvamakandipa munda kuNegevhu, ndiitireiwo mwoyochena, mundipe zvisipiti zvemvura.” Karebhu ndokumupa zvisipiti zvemvura zveko zvokumusoro nezvisipiti zvezasi. VaKeni zvizvarwa zvokwavatezvara vaMosesi vakabva kuguta remirara pamwechete nevokwaJudha, vakaenda kurenje rokwaJudha riri kuNegevhu pedyo neAradhi vakandogara pamwechete navanhu voko. VokwaJudha vakaenda nehama dzavo dzokwaSimeoni vakakurira vaKanani vaigara muguta reZefati, vakariparadza zvokuparadza zviya. Saka guta iroro rakazonzi Horuma. VokwaJudha ivava vakakurirawo guta reGaza namatunhu aro neAshikeroni namatunhu aro, neEkironi namatunhu aro. Tenzi akava nevokwaJudha vakatora nyika yamakomo ikava yavo. Asi vakatadza kudzinga vanhu vokumapani nokuti vakanga vaine ngoro dzehondo dzesimbi. Guta reHebhuroni rakapiwa kuna Karebhu sokutaura kwakanga kwaita Mosesi. Karebhu akadzingamo vanakomana vaAnaki vatatu. Asi vokwaBhenjamini vakatadza kudzinga vaJebhusi vaigara muguta reJerusaremu. Saka vaJebhusi vagere muJerusaremu pamwechete nevokwaBhenjamini nanhasi uno. Vemba yokwaJosefi vakakwira kundorwisa Bhetieri Tenzi aiva navo. Vemba yokwaJosefi ivava vakatuma vanhu kundosora muguta reBhetieri. Kare zita reguta irori raimbonzi Ruzi. Vasori ivavo vakaona murume akanga achibuda muguta imomo vakati kwaari, “Tiratidzewo panopindwa napo muguta, isu tigozokunzwirawo tsitsi.” Akavaratidza paipindwa napo muguta iroro. Vakauraya vomuguta imomo namapakatwa. Asi vakarega murume uya kuti aende zvake nemhuri yake. Murume uyu akaenda kunyika yavaHiti. Akavaka guta ikoko, akaritumidza zita rokuti Ruzi ndiro zita raro nanhasi uno. VokwaManase havana kudzinga vagari vomumaguta aya anoti: Bhetisheani nemisha yaro, kwouya Taanaki nemisha yaro, kwochiti Dhori nemisha yaro kwoti Ibhereamu nemisha yaro kwozoti Megidho nemisha yaro. Asi vaKanani vakaramba vangotsungisawo mwoyo kugara munyika imomo. VaIsiraeri pavakanga vava vanhu vane simba vakaitisa vaKanani basa rechibharo. Asi havana kubva vavadzinga zvokuvapedzeredza. VokwaEfuraimu havanawo kudzinga vaKanani vaigara muGezeri. Asi vaKanani vakagara zvavo muGezeri mukati mavo. VokwaZebhuruniwo havana kudzinga vagari vomuKitironi, kana vagari vomuNaharori. Asi vaKanani vakagara mukati mavo vokwaZebhuruni vakavabatisa chibharo. VokwaAsheri havanawo kudzinga vagari vomuAko kana vagari vomuSidhoni, kanawo vagari vomuAhirabhu, kanawo vomuAkizibhu, kana vomuHeribha kana vomuAfiki, kunyange vomuRehobhu. Asi vokwaAsheri ivava vakatogara zvavo mukati mavaKanani, vagari vomunyika iyoyo nokuti havana kuvadzinganisa. VokwaNafutari havana kudzinga vagari vomuguta iri reBhetishemeshi, kana vagari vomuBhetianati, asi vakatogara zvavo mukati mavaKanani, vagari vomunyika iyoyo. Asi ivo vagari vomuBhetishemeshi nevomuBhetianati vaibatiswa chibharo. VaAmori vakasundira vokwaDhani kunyika yamakomo nokuti havana kuvabvumidza kuburuka kubani. VaAmori vakaramba vakatsungisa mwoyo kugara kugomo reHeresi nomuAijaroni nomuShaaribhimu. Asi vemba yokwaJosefi vakavakurira vakavabatisa chibharo. Muganho wenyika yevaAmori waibvira kumupata weAkirabhimu woenda nokuSera zvichingokwira zvakangodaro. Mutumwa waTenzi akabva kuGirigari akakwidza kuBhokimu. Akati, “Ndakakubvisai kuIjipiti ndikauya nemi kunyika yandakatsidzira kupa kune madzibaba enyu. Ndakati, ‘Handimbozofi ndakatyora chitenderano changu nemi. Imiwo regai kuita chitenderano navanhu vomunyika ino. Munofanira kupwanya atari dzavo.’ Asi imi hamuna kuteerera zvandakareva. Ko ndochii ichochi chamaita? Zvino ini ndinoti, ‘Handichafanokudzingirai vanhu ivava, asi vachava vavengi venyu uye vamwari vavo vari chinhu chakakuteyai.’ ” Mutumwa waTenzi akati apedza kutaurira vaIsiraeri vose, vanhu vakaridza mhere kuchema. Vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Kuchema, vakabva vapira Tenzi zvibayiro ipapo. Joshuwa paakati vaIsiraeri vachienda zvavo, vakati ava kwavo ava kwavo vachienda kunyika dzavo dzenhaka kundodzitora vachidziita dzavo. Vanhu ivava vakanamata Tenzi panguva yose yakanga Joshuwa achiri mupenyu, nenguva yose yavakuru vakuru vakasiyiwa naJoshuwa variko vakanga vaona basa guru rose rakaitirwa vaIsiraeri naTenzi. Joshuwa mwanakomana waNunu muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore ana makore gumi. Vakamuviga munyika yake yenhaka kuTimunatiheresi kunyika yaEfuraimu yamakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi. Chizvarwa ichocho chose chakapera kufa, kukazomukawo chimwe chizvarwa mushure mavo chakanga chisingamboziva Tenzi kana basa raakanga aitira vaIsiraeri. VaIsiraeri vaiita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Vainamata vanaBhaari. Vaizvicheka ukama naTenzi Mwari wamadzibaba avo akavaburitsa kunyika yeIjipiti, voteveredzana zvavo navamwe vamwari vavanhu vakanga vari munharaunda yavo vachivapfugamira, vachivirutsa hasha dzaTenzi. Vakachekana ukama naTenzi vonamata vanaBhaari naAshitaroti. Saka hasha dzaTenzi dzaivirukira vaIsiraeri ovaisa mumaoko avapambi, vachivapamba, achivati kuche mumaoko avavengi vavo vomunharaunda yavo yose. Havaizogona kana kumirisana navavengi vavo. Nguva dzose dzavaiti vondorwa, Tenzi aitenge orwisana navo kuti zvivaipire, sokuyambira kwakanga kwaita Tenzi nokuvatsidzira kwaakanga aita. Zvose izvozvo zvaivatambudza kwazvo mumwoyo. Tenzi aizovamutsira vatongi vaivanunura mumaoko avanhu ivavo vaivapamba. Kunyange zvakadaro vakange vasingateereri vatongi vavo ivavo nokuti vairamba vachingoita unzenza hwokuteveredzana navamwe vamwari vachivapfugamira. Vakanga vasingatani kutsauka nzira yaifambwa namadzibaba avo vaiteerera mitemo yaTenzi. Ivo havana kuita izvozvo. Tenzi aiti kana avamutsira mutongi, aibva ava nomutongi iyeyo ovaponesa mumaoko avavengi vavo upenyu hwose hwomutongi iyeyo nokuti Tenzi ainzwa tsitsi nokugunguzika kwavo pamusana pavanhu ivavo vaivabata zvisina kunaka. Asi painge mutongi iyeyo afa, vaipinduka votoita zvinhu zvakaipa kwazvo kupinda zvamadzibaba avo, votevera vamwe vamwari vachivanamata vachivapfugamira. Vaizongoramba vangoti dzvemere namabasa avo iwayo vasisasiyane nomusikanzwa wavo. Naizvozvo Tenzi aizovirukira vaIsiraeri nehasha. Aizotiwo, “Vanhu ava zvavatyora chitenderano changu chandakatemera madzibaba avo vachirega kuteerera zvandinoreva, neniwo kubvira zvino handichafanovadzingira marudzi api zvawo akasiyiwa arimo naJoshuwa, paakafa. Navo ndichaedza vaIsiraeri kuti ndione kuti vachachengeta here gwara raTenzi raifamba madzibaba avo kana kuti kwete.” Saizvozvo Tenzi akarega marudzi iwayo arimo, haana kubva akurumidza kuvadzinga vose pamwechete, haanawo kuvaisa mumaoko aJoshuwa. Zvino aya ndiwo marudzi avanhu akaregwa naTenzi arimo okuedza nawo vaIsiraeri vose zvavo vakanga vasina kumbenge vaona hondo ichirwiwa muKanani. Zvaingoitirwa kuti vezvizvarwa zvaIsiraeri vagoziva hondo, uye kuti adzidzise kurwa vaya vainge vasati vaziva hondo. Marudzi anoti: madzishe mashanu avaFirisitia kwouya vaKanani vose navaSidhoni naHivhi vaigara kumakomo okuRebhanoni kubvira kugomo reBhaariherimoni kusvikira toda kupinda kuHamati. Vakaregwa varimo kuedza vaIsiraeri kuti kugoonekwa kuti vachateerera here mitemo yaTenzi yakaudzwa madzibaba avo nomuromo waMosesi. Saka vaIsiraeri vakatogara zvavo mukati mavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. Vaitoroorerana navo vachitonamata zvavo vamwari vavo. VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo, vakanamata vanaBhaari naAsheroti. Naizvozvo hasha dzaTenzi dzakavirukira vaIsiraeri akabva avaisa mumaoko amambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia. VaIsiraeri vakapedza makore masere vachimushandira. VaIsiraeri vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mununuri akavaponesa, ainzi Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu. Mweya waTenzi wakauya paari akatonga Isiraeri. Akaenda kuhondo, Tenzi akaisa mumaoko ake mambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia akamukurira. Nyika ikabva yava norunyararo. Nyika yakabva yava norunyararo kwamakumi mana amakore, ndokubva Otinieri mwanakomana wavaKenazi azofawo zvake. VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi ndokupa Egironi mambo weMoabhu simba rokuvakurira nokuti vakanga vaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Akakoka vaAmoni navaAmareki akandorwisa vaIsiraeri, vakakurira guta remirara rikava ravo. VaIsiraeri vakapedza gumi ramakore rina makore masere vachishandira Egironi mambo weMoabhu. VaIsiraeri vakazochemazve kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mumwezve mununuri ainzi Ehudhi mwanakomana wavaGera wedzinza rokwaBhenjamini aiva namaboshwe. VaIsiraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu. Zvino Ehudhi uyu akazvigadzirira bakatwa rake, muchekakwose chaiwo rakanga rakareba masendimita makumi mashanu. Akaripfekera muhanzu dzake, kuchidya chake chokurudyi. Akasvitsa mutero iwoyu kuna Egironi mambo weMoabhu. Egironi uyu aiva rume dindimutibvu chairo kufuta. Ehudhi paakati pedzei kuturira mutero uya, akati vanhu vakanga vauya vakatakura mutero iwoyu vachidzokera zvavo. Asi iye pachake akadzoka vava kuzvifananidzo zvokuveza zvamatombo zviya zvokuGirigari, akasvikoti, “Mambo wangu, ndine nyaya yandiri kuda kumbotaurawo zvangu nemi kazevezeve.” Mambo ndokuti, “Chimbonyararai.” Vose vaimushandira vakabva vabuda panze vachimusiya. Ehudhi aswedera kuna mambo, iye akanga agere zvake ari oga mumba yepanhurikidzwa yapamusoro inotonhorera. Ehudhi akati “Ndine shoko renyu rabva kuna Tenzi.” Mambo akasimuka muchigaro chake. Ehudhi akati we-e bakatwa rake noruboshwe kuchidya chokurudyi kuya ndokuti naro bhofo mudumbu ramambo. Rakabva rati bherevere zvose nomupakato waro. Mafuta akariti fushe fushe nokuti haana kuribvisa mudumbu make, tsvina ikabva yabuda. Ehudhi akati bwa kubuda muberere, zarirei misuo yemba yapanhurikidzwa yapamusoro iya ndokubva asiya ayikiya. Kuzoti aenda, varanda vakabva vasvikawo, vakaona misuo yemba yapamusoro yapanhurikidzwa iya yakakiyiwa vakati, “Zvimwe mambo anodaro achizvibatsira zvake mumba yake inotonhorera.” Vakamirira kusvikira zvava kutovashayisa mazano, asi paasina kuzarura misuo, vakazotora kiyi vakazarura misuo iya, onei tenzi wavo akati rabada pasi atofa. Ehudhi akapunyuka pavaingunomirira paya. Akapfuura pazvifananidzo zvokuveza zvamatombo zviya akatizira kuSeira. Paakasvika ikoko akaridza hwamanda munyika yaEfuraimu yamakomo. VaIsiraeri vakaburuka naye munyika yamakomo iyoyi iye achivatungamirira. Akavati, “Nditeverei. Tenzi atoisa vavengi venyu vaMoabhu mumaoko enyu.” Vakamutevera vakandogaririra kumazambuko aJorodhani okuenda kuMoabhu hapana wavaibvumira kuyambuka nepo. Panguva iyoyo vakauraya mikweshwa yavarume vechiMoabhu vanosvika zviuru gumi. Hakuna kana mumwechete akapunyuka. Nokudaro vaMoabhu vakakurirwa navaIsiraeri musi iwoyo. Nyika yakava norunyararo kwamakumi masere amakore. Shure kwaEhudhi kwakauya Shamugari mwanakomana wavaAnati. Iyeyu uyu akauraya mazana matanhatu avaFirisitia, nemhayo yokutinhisa mombe naiyewo akanunura Isiraeri. VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwe naTenzi mushure mokufa kwaEhudhi, naizvozvo Tenzi akavaisa mumaoko amambo Jabhini mumwe mambo womuKanani aitonga Hazori. Mutungamiriri wehondo yake ainzi Sisera aigara kuHaroshetihagoiimu. Aiva namazana mapfumbamwe engoro dzehondo dzesimbi. Akabata vaIsiraeri zvakaipa kwazvo kwamakumi maviri amakore, ndokubva vaIsiraeri vachema kuna Tenzi kuti avanunure. Panguva iyoyo Dhebhora muporofita wechikadzi, mudzimai waRapidhoti ndiye aitonga vaIsiraeri. Aitongera mhosva pamuti womurara wokwaDhebhora munyika yamakomo pakati peRama neBhetieri munyika yamakomo yokwaEfuraimu. VaIsiraeri vaitoenda ikoko kwaari kundotongwa mhosva dzavo. Dhebhora akatuma shoko rokuti Bharaki mwanakomana wavaAbhinoamu auye kwaari kubva kuKedheshi kwaNafutari akati kwaari, “Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ari kukutuma, ari kuti, ‘Enda utore zviuru gumi zvavarume vedzinza rokwaNafutari neraZebhuruni uvatungamirire kugomo reTabhori. Ndichakwezvera Sisera mutungamiriri wehondo yaJabhini, kuzosangana newe pedyo norwizi rwaKishoni nengoro dzake dzehondo, nezvikwata zvake zvavarwi ndigomuisa mumaoko ako.’ ” Bharaki akamuti, “Kana imi mukaenda neni ndinoenda, asi kana imi musingaende neni, iniwo handiende.” Dhebhora ndokuti, “Zvokuenda newe ndinoenda, asi namaitiro awada kuzviita nawo aya, iwe hausiwe uchava nembiri nokuti Tenzi achaisa Sisera mumaoko omunhukadzi.” Nokudaro Dhebhora akasimuka akaenda pamwechete naBharaki kuKedheshi. Bharaki akakokorodza vedzinza rokwaZebhuruni nevokwaNafutari kuKedheshi. Varume vanosvika zviuru gumi vakamutevera. Dhebhora akaenda pamwechete naye. Hebheri muKeni akanga apararana navaKeni, zvizvarwa zvokwaHobhabhu madzitezvara aMosesi. Akanga akandodzika matendhe ake kumuoku wokuZaananimu, uri pedyo nokuKedheshi. Kwakasvitswa shoko kuna Sisera rokuti Bharaki mwanakomana waAbhinoamu aenda kugomo reTabhori. Sisera akaunganidza ngoro dzake dzose dzehondo, mazana mapfumbamwe engoro dzehondo dzesimbi, navarume vose vaaiva navo kuHaroshetihagoiimu akaenda navo kurwizi rwaKishoni. Dhebhora akati kuna Bharaki, “Chivavinga. Ndozuva raiswa Sisera mumaoko ako naTenzi. Handiti izvozvi Tenzi ari kukutungamirirai here?” Saka Bharaki akadzika mugomo reTabhori aine gumi rezviuru zvavarume vaimutevera. Tenzi akaita kuti Sisera nengoro dzake dzose dzehondo, nehondo yake dzose vati ware kutiza Bharaki ovarwisa namapakatwa. Sisera akajitika mungoro yake yehondo ndokuti gumbo ndibereke otiza netsoka. Bharaki akadzingirirana nengoro dzehondo dzacho nehondo yacho kusvikira kuHaroshetihagoiimu. Hondo yose yaSisera yakaurayiwa namapakatwa, hapana kana nomumwe akapunyuka. Asi Sisera akatizira netsoka kutendhe raJaeri mukadzi waHebheri wechiKeni nokuti Jabhini mambo weHazori ainzwanana nevemhuri yokwaHebheri muKeni. Jaeri akabuda akachingura Sisera akamuti, “Changamire, uyai zvenyu muno, uyai zvenyu muno, musatye.” Akabva apinda mutendhe, ndokumufugidza negumbeze. Akati kwaari, “Ndipeiwo mvura yokunwa ndafa nenyota!” Akabva amuzarurira chigubhu chomukaka akanwa, ndokumufukidza pakare. Akamuti, “Chimira pamusuo wetendhe apa. Kana kukasvika munhu akabvunza kuti ‘Pano pane munhu here? Iwe iti hapana.’ ” Asi Jaeri akatora hoko yetendhe nenyundo ndokuenda paari achiverevedza, iye akakotsira kudaro, aneta. Akasvikoroverera hoko iya pachawowo kusvikira yabayirira muvhu, ndokubva afa. Ndiye Bharaki tutururu achironda Sisera, ndokubva Jaeri abuda achichingurana naye akamuti, “Uyai ndikuratidzei munhu wamuri kutsvaka.” Akapinda mutendhe make muya, wanei Sisera akati rabada pasi, akafa, akarovererwa hoko yetendhe pachawowo. Musi iwoyo Tenzi akaita kuti vaIsiraeri vakurire Jabhini. VaIsiraeri vakaramba vati tsvome tsvome kurwisa Jabhini mumwewo mambo weKanani kusvikira vamuparadza chaizvo. Musi iwoyo Dhebhora naBharaki mwanakomana wavaAbhinoamu vakaimba rwiyo urwu vachiti: “Tenzi ngaarumbidzwe nokuti vakuru vakuru vakatungamirira muIsiraeri uye vanhu vakazvipira nomwoyo unoda. Teererai imi Madzimambo, munzwe imi machinda. Ini, iyeni pachangu ndomboimbira Tenzi. Ndava kuimbira rwiyo Tenzi, Mwari wavaIsiraeri. Tenzi imi pakubva kwenyu kugomo reSeiri, pamaikanyaira mobva mumasango eEdhomu, nyika yakadedera, denga rikanaya, makore akadonha mvura. Makomo akandengendeka pamberi paTenzi, makomo eSinai pana Mwari wavaIsiraeri. Panguva yaShamugari mwanakomana waAnati, panguva yaJaeri, zvedungwerungwe mumigwagwa kwakanga kusisina. Venzendo vaitofamba notunzira twomusango. Shasha dzokutungamirira muIsiraeri makanga musisina kusvikira kwamuka ini Dhebhora. Kwazomuka ini amai veIsiraeri. Vanhu pavaisarudza vamwari vatsva, hondo yaibvawo yagogodzera pamusuo. Pamakumi mana ezviuru zvavaIsiraeri kwaimboonekwa nhoo kana pfumo zvaro nhai? Mwoyo wangu unofadzwa navatungamiriri veIsiraeri unofadzwa navakazvipira nomwoyo unoda. Tenzi ngaarumbidzwe. Zviparidzei, Imi vananyakutasva pamadongi echikadzi machena, iyemi vokugara pazvityaro zvina machira anokosha iyemi vanyakupfuura nenzira. Ngavadaidzire kupfuura vanogova mvura, vanoigova panonwiwa mvura. Zvinoshamisa zvakaitwa naTenzi ngavazviimbe, zvokutungamirira kwaakaita Isiraeri zvinoshamisa. Vanhu vaTenzi vakaunganidzana kumisuwo mikuru yamaguta. Mukai, mukai mushaure vaDhebhora! Mukai, mukai mushaure rumbo! Simuka Bharaki, mwana waAbhinoamu, vakambokuita nhapwa, nhasi uvaite nhapwa. Vakanga vasara pakati pavakuru vakuru vakauya, vanhu vaTenzi vakaburukira kwandiri, vovinga vane simba guru. VokwaEfuraimu kubvira kuAmareki vatopinda kare mubani, mushure menyu, vokwaBhenjamini navanhu vokwenyu. Vatungamiriri vokwaMakiri vaburukawo vatovamo, nenhungamiri dzokwaZebhuruni dzarovererawo. Machinda okwaIsakari aita rimwe naDhebhora, vaita mwoyo mumwechete naBharaki. Heyo mhute, vanhu kutevera Bharaki. Vemhuri dzokwaRubheni vashaya rokubata nokufunga. Muchagomirireiko kumatanga ehwai? Kutonakidzwa zvenyu nhai nenyere dzokuridzira zvipfuwo. Vemhuri dzokwaRubheni vashaya rokubata nokufunga. VokuGireadhi vagere zvavo kumhiri kwaJorodhani iwe. Ko naivowo vokwaDhani ndochiikowo ichochi chokuramba vakangoti nezvikepe dzvemere? Kana naivowo vokwaAsheri nhaimi, votoramba zvavo vakati tendhe mumahombekombe kutonyatsoti mbwe-e zvavo make imomo. VokwaZebhuruni vakazvipinza munjodzi yokunge vachafa. Ndozvimwechetezvo nevokwaNafutari panzvimbo yakakwirira yakasandarika. Madzimambo akauya akarwa hondo. Madzimambo eKanani akarova hondo, kuTaanaki pedyo netsime rokuMegidho. Asi hapana kana sirivha kana chokupamba zvacho chavakabura. Nyenyedzi dzokudenga dzakarwawo hondo dzakarwisa Sisera mumakwara adzo. Mapopopo aKishoni akavakukura, mapopopo akati vata, mapopopo aKishoni. Regai ndichikanyaira nesimba. Mabhiza akaridza pasi pakatinhira, nokukakatika orimbinyuka mabhiza ehondo. Mutumwa waTenzi anoti, ‘Rengererai vokuMerozi vawirwe norushambwa, nyatsoshurikidzai rushambwa vagari veko, nokuti havana kuzobatsira Tenzi kubatsira Tenzi hondo yake nemikweshwa.’ Jaeri akakomborerwa kwazvo pavakadzi vose. Mudzimai waHebheri muKeni, akakomborerwa kwazvo pavakadzi vose vagari vomumatendhe. Murume uya akamukumbira mvura, iye akamupa mukaka. Akamuigira mukaka wakakora mumbiya yamadzimambo. Akati chachapu muruoko hoko yetendhe, ndokuti nyundo yavashandi dzvi. Akaiti mbetete muna Sisera achipwanya musoro wake akabvoora akatekesha musoro wake. Akati nyerekete ndiye pasi rapata, ndiye tonho patsoka dzake, patsoka dzakepo akati nyekete, ndiye pasi rabada. Paakati rikiti ipapo ndipo paakafira. Ukuwo uku amai vaSisera vari shishi napahwindo kudongorera, vari shishi napahwangwadza yehwindo kupena. Voti, ‘Nhai vedu! Ko chii chanonotsa ngoro yake kudai? Sei kuriridza kwengoro dzake dzehondo kusati kwonzwika?’ ” Vakadzi vokumbahuru voungwaru ndokuvadzikamisa mwoyo vovataurira zvavaingofungawo izvozvo voti, “Pamwe vari kutounganidza zvavo nokugovana zvavapamba, munhu achitopiwa zvake mukadzi kana vaviri, izvozvi pamwe Sisera atowana machira ane manyerekete, machira okudhaya ana mavara mavara akanyatsorukirwa. Kana iniwo ndichatoigirwa mavhoiri maviri omuhuro.” Saizvozvo Tenzi vavengi venyu vose ngavaparare. Asi vanokudai vaite sezuva rinobuda rine simba. Nyika yakava norunyararo makumi mana amakore. VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi akabva avaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore monomwe. VaMidhiani vaibata vaIsiraeri zvechisimba. Pamusana pavaMidhiani ivavo, vaIsiraeri vakazvigadzirira pokugara mumakomo, nomumapako, napane dzimwe nzvimbo dzokuzvidzivirira. Kwaiti kana vaIsiraeri vakadyara mbeu dzavo vaMidhiani navaAmareki namamwewo marudzi okumabvazuva vaiuya kuzovarwisa. Vaisvikodzika matendhe avo pedyo navo, voparadza zvirimwa zvavo muminda kusvikira kuGaza. Havaisiya kana chokubata muIsiraeri. Vaituta zvose hwai nemombe namadhongi. Chaiitika ndechokuti vaiuya vaine zvipfuwo zvavo namatendhe vakawanda semhashu, vanhu nengamera dzavo zvisingaverengeki. Vaiti kana vauya vaisiya nyika yaparara. VaIsiraeri vaisara vangovawo vanhu zvavo, vasisina chokubata pamusana pevaMidhiani. VaIsiraeri vakachema kuna Tenzi kuti avanunure. VaIsiraeri pavakachema kuna Tenzi pamusana pavaMidhiani, Tenzi akavatumira muporofita akati, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakakuburitsai kuIjipiti, ndichikununurai muuranda. Ndakakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko avose vaikubatai uranda. Ndakafanokudzingirai vanhu ivavo ndikakupai nyika yavo.’ Ndakakutaurirai kuti, ‘Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Musambonamata vamwari vavaAmori vane nyika yamugere, asi imi hamuna kunditerera.’ ” Mutumwa waTenzi akauya akagara pasi pomuoku wokuOfura wokwaJoashi muAbhieziri. Ipapo Gidheoni mwanakomana wake aingunopurira koroni muchisviniro chewaini achiihwandisa kuvaMidhiani. Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.” Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.” Tenzi akamucheuka akamuti, “Enda nesimba irori raunaro ununure vaIsiraeri mumaoko avaMidhiani. Ndini ndiri kukutuma.” Akati kwaari, “Changamire, ndinganunure sei vaIsiraeri? Mudzinza rokwaManase, mhuri yedu ndiyo duku duku uye mumba medu ndinongova munhuwo zvangu.” Tenzi ndokuti, “Pamusana pokuti ndinenge ndinewe uchauraya vaMidhiani sokunge uri kuuraya munhu mumwechete.” Akati kwaari, “Kana muchindida ndapota ndiitireiwo chokuratidza kuti imi pachenyu ndimi muri kutaura neni. Ndapota imboregai kuenda kusvikira ndadzoka ndakuigirai mupiro wangu, ndauturira kwamuri.” Iye akati, “Ndinokumirira kusvikira wadzoka.” Gidheoni akapinda mumba make akauraya mbudzana akaibika akatora upfu hwekoroni hwairema makirogiramu gumi akabika chingwa chisina mbiriso. Akaisa nyama yacho mutswanda, akaisa muto wayo mupoto. Akaenda nazvo kumunhu uya pasi pomuoku akasvikomuturira. Mutumwa waMwari ndokuti, “Tora nyama iyo nechingwa chisina mbiriso icho uzviise padombo iri, udire muto pamusoro pazvo.” Iye akaita saizvozvo. Mutumwa waTenzi akasveerera mhuro yakanga iri muruoko rwake akagunzva nyama iya nechingwa chisina mbiriso ndokubva moto wanganduka uchibva mudombo, ukaroromesa nyama iya nechingwa. Mutumwa waTenzi ndokunyangarika. Gidheoni ndokubva aziva kuti mutumwa waTenzi. Ndokukanuka achiti, “Hezvo hezvo! Nhai Tenzi Mwari, zvandaonanazve nomutumwa waTenzi uso nouso.” Asi Tenzi akati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatye, haufi.” Gidheoni akavakira Tenzi atari ipapo akaitumidza zita rokuti “Tenzi ndiye rugare.” Ichiriko nanhasi kuOfura, dunhu raAbhieziri. Usiku ihwohwo Tenzi akamuti, “Tora handira yababa wako yechipiri ine makore manomwe. Pwanya atari yaBhaari, yababa wako, utemeteme chitanda chinomiririra Ashera, chiri pedyo nayo, uvakire Tenzi Mwari wako atari pamusoro penzvimbo iyi yokuzvidzivirira muhondo iri pano, matombo ayo anyatsorongwa. Unofanira kutora handira iyoyo yechipiri woita mupiro wokupisa, uupise nomoto wehuni dzechitanda chiya chinomiririra Ashera chaunenge watema-tema.” Gidheoni akatora varanda vake gumi mukati mevaranda vake, akaita sezvaakanga audzwa naTenzi. Asi pamusana pokuti aitya vemhuri yake navanhu vaigara mugutamo haana kuzviita masikati, akazviita nousiku. Varume vemuguta vakamuka, mangwanani wanei atari yaBhaari yapwanyiwa, chitanda chinomiririra Ashera chatemwa-temwa, handira yechipiri yapirwa paatari itsva yakanga yavakwapo. Vakabvunza vachiti, “Chaizvoizvo ndiani aita izvi?” Vakabvunzisisa vachitsvagurudza vakazoti, “NdiGidheoni mwanakomana waJoashi akaita izvi.” Varume vemuguta imomo vakati kuna Joashi, “Uya nomwanakomana wako timuuraye nokuti ndiye akapwanya atari yaBhaari, akatema-tema Ashera aiva pedyo nayo.” Asi Joashi akabvunza mhomho yakanga yakamukomba achiti, “Heya mafunga kurwira Bhaari nhai, kana kuti motoda zvenyu kumununura? Anenge achirwira Bhaari ngaaurayiwe mangwana kusati kwaedza. Kana Bhaari ari mwari regai azvirwire pachake nokuti atari yake yakapwanywa.” Naizvozvo musi iwoyo Gidheoni akatumidzwa zita rokuti Jerubhaari zvinoreva kuti, “Regai Bhaari arwisane naye” nokuti akapwanya atari yake. VaMidhiani vose nevaAmareki navanhu vokumabvazuva vakaunganidzana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matendhe avo mubani reJezireeri. Mweya waTenzi wakazadza Gidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaunganidzana vomutevera. Akatumira nhume munyika yose yokwaManase, ivowo vakaunganidzana vakamutevera. Akatumirawo nhume kune vedzinza rokwaAsheri neraZebhuruni neraNafutari vakakwira kuzosangana navo. Gidheoni akataura naMwari achiti, “Kana imi muchida kundishandisa kununura vaIsiraeri sokutaura kwamakaita, zvino ndavakuisa mhombwa yewuru paburiro apa, kana dova rikava pawuru chete, pamwe pose, pasi pachingova pakaoma ndopandichaziva kuti muri kuda kundishandisa kununura vaIsiraeri, sezvamakareva.” Zvakabva zvaita saizvozvo. Mangwana acho akamuka rungwanangwana, akasvina dova muwuru iya rikazadza ndiro yemvura. Gidheoni akatetererazve Mwari achiti, “Ndapota regai zvenyu kundishatirirwa ndigotaurawo kamwechete kano. Regai ndiedze zvakare nemhombwa yewuru kamwechete. Ndinokumbira kuti wuru iyi ive ndiyo yakaoma, pamwe pose pasi pave nedova.” Mwari akabva aita saizvozvo usiku ihwohwo. Pawuru chete ndopakanga pakaoma, asi pamwe pose, pasi paine dova. Jerubhaari, iye Gidheoni, navanhu vose vaaiva navo vakamuka rungwanangwana vakandodzika matendhe pedyo nechisipiti cheHarodhi. Matendhe evaMidhiani aiva ari nechokuchamhembe kwavo, mubani, pedyo nechikomo cheMore. Tenzi akataurira Gidheoni achiti, “Vanhu vaunavo vakawandisa kuti ndiise vaMidhiani mumaoko enyu nokuti vaIsiraeri vangazozvizuwidza vachiti, ‘Takazvinunura nesimba redu isu pachedu.’ Naizvozvo chiudza vanhu vachizvinzwira nenzeve dzavo uchiti, ‘Anenge achidedera nokutya, ngaadzokere zvake kumusha.’ ” Gidheoni akavaedza; varume vaisvika makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri vakadzokera, kukasara zviuru gumi zvavarume. Tenzi akataurira Gidheoni zvakare achiti, “Vanhu ava vakawandisa nazvino wese. Enda navo kumvura, ndikuudze waungasarudze. Wandinenge ndati ngaaende newe, ndiye achaenda newe. Wandinengewo ndati haaende newe, ngaarege kuenda newe.” Saka Gidheoni akaenda nevanhu ivavo kumvura. Tenzi ndokuti kuna Gidheoni, “Vanhu vanenge vachinwa mvura vachiita zvokukasva sembwa vaise pavo voga, uisewo pavo vanenge vachiinwa vakapfugama.” Mazana matatu avarume vakaita zvokuikasva namaoko avo, asi vamwe vose vakapfugama pakunwa mvura iyoyo. Tenzi akati kuna Gidheoni, “Namazana matatu avarume vaita zvokukasva mvura, ndichakununurai, ndigoisa vaMidhiani mumaoko enyu. Rega vamwe vose vaende mumwe nomumwe kumusha kwake.” Saka Gidheoni akadzosera vamwe vaIsiraeri vose kumatendhe avo, kusiya mazana matatu aya. Akatora mbuva nehwamanda dzavamwe vaya. Matendhe evaMidhiani akanga ari nechenyasi mubani. Usiku hwakarehwo Tenzi akamuti, “Simuka uende kumatendhe avo nokuti ndaaisa mumaoko ako. Kana uchitya kudzikako, chiperekedzanai nomuranda wako Pura, mundonzwa zvavari kutaura, unobva wasimba mwoyo, wozodzika kundorwisa hondo yavo.” Saka iye nomuranda wake Pura vakaenda kumapeto kwamatendhe kwaiva navarume vehondo. VaMidhiani nevaAmareki navanhu vose vokumabvazuva vakanga vagara vachitevedzana nebani iroro vakaita semhashu kuwanda. Ngamera dzavo dzakanga dzisingaverengeki dzakangoita sejecha repamahombekombe pegungwa. Gidheoni paakasvikako, mumwe murume akanga achirondedzera mumwe wake hope dzake achiti, “Mufungeka ndarota hope. Ndarota ndichiona chingwa chebhari chauya kumatendhe avaMidhiani chichiita zvokukunguruka. Chasvikorova rimwe tendhe rikati pasi bvu-u.” Mumwe wake ndokuti, “Hakuna chimwe. Ibakatwa raGidheoni mwanakomana waJoashi muIsiraeri. Tenzi atoisa vaMidhiani nehondo yavo yose mumaoko ake.” Gidheoni paakanzwa hope idzi nokududzirwa kwadzo akapfugama akanamata. Akadzokera kumatendhe avaIsiraeri akati, “Handei nokuti Tenzi atoisa hondo yavaMidhiani mumaoko enyu.” Akaisa mazana matatu aya avarume muzvikwata zvitatu. Akapa munhu wose hwamanda, nechirongo chisina chinhu, nemwenje muzvirongo. Akavati, “Monyatsonditarisa mutevedzere zvandinoita. Kana ndasvika kumucheto wamatendhe, zvandinenge ndaita, imi moitawo saizvozvo. Mukanzwa ini navandinenge ndinavo taridza hwamanda, imi mobva maridzawo hwamanda, mativi ose akakomberedza tendhe, muzhambe muchiti, ‘Hondo yaTenzi, hondo yaGidheoni.’ ” Gidheoni navarume zana vaaiva navo, vakasvika kumucheto wamatendhe avo nguva yomurira kamwe vaMidhiani vachangobva mukutsinhana kugaririra. Vana Gidheoni vakaridza hwamanda vakabwadura-bwadura zvirongo zvavakanga vakatakura. Vezvikwata zvitatu zviya vakaridza hwamanda, vakabwadura-bwadura zvirongo zviya. Kuruboshwe vainge vakabata mwenje, kurudyi vakabata hwamanda dzokuridza. Vakazhamba vachiti, “Hondo yaTenzi, hondo yaGidheoni!” Munhu wose akamira panzvimbo yake vakatenderedza matendhe iwayo. Hondo yavaMidhiani ndokuti ware kutiza ichiridza mhere. Pavakaridza mazana matatu ehwamanda, Tenzi akaita kuti vaMidhiani vabayane pachavo nokurwisawo hondo yose. Hondo yavo yakatiza kusvikira kuBhetishita yakananga kuZerera kudzamara kumuganho weAbherimehora pedyo neTabhati. Kwakadaidzwa vaIsiraeri varume vedzinza rokwaNafutari neraAsheri navose vedzinza raManase vakadzingirira vaMidhiani. Gidheoni akatuma nhumwa kunyika yaEfuraimu yamakomo neshoko rokuti, “Uyai muzochingudzira vaMidhiani, mufanovadzivirira pose pokuyambuka napo Jorodhani kusvikira kuBhetibhara.” Saka varume vose vokwaEfuraimu vakakokorodzwa vakafanodzivirira pokuyambuka napo Jorodhani kusvikira kuBhetibhara. Vakabata vatungamiriri vaviri vechiMidhiani vanoti, Orebhu naZeebhu. Vakaurayira Orebhu paruware, Zeebhu akaurayirwawo kuchisviniro chewaini chokwaZeebhu, pavaidzingirira vaMidhiani. Vakauya nomusoro waOrebhu newaZeebhu kuna Gidheoni kumhiri kwaJorodhani. Varume vokwaEfuraimu vakamubvunza kuti, “Ndochii ichochi chawatiitira ichi? Kuenda here chokwadi kundorwa navaMidhiani usina zvako kana kutidaidzawo?” Vakamupopotera vakagumbuka kwazvo. Iye akavati, “Chiiko zvino chandaita chingaenzaniswe nezvamakaita imi? Ko magirepisi amanofuhwa imi vokwaEfuraimu haasiri mazhinji here pane atinokohwa isu vokwaAbhiezeri? Mwari akaisa mumaoko enyu vatungamiriri vevaMidhiani vanaOrebhu naZeebhu. Zvino chiiwo chandakaita chingabangoenzaniswa nezvamakaita, imi?” Ipapo kumugumbukira kwavakanga vakaita kwakabva kwapera paakavataurira izvozvi. Kunyange Gidheoni navarume mazana matatu vaya, vakanga vaneta, vakasvika kuna Jorodhani vakayambuka vachingovadzingirira chete. Paakasvika kuSukoti akakumbira vanhu veko achiti, “Ndapota ndipireiwo vanhu vandinavo zvingwa nokuti vave nenzara. Ndiri pakuronda Zebha naZarimuna, madzimambo evaMidhiani.” Vakuru vakuru vomuSukoti vakati, “Ko ivo vana Zebha naZarimuna vacho wati wavabata here zvaunoti tipe hondo yako iyi chokudya?” Gidheoni ndokuti, “Zvakanaka, kana Tenzi angoisa Zebha naZarimuna mumaoko angu, ndichakupurai neminzwa yomurenje norukato.” Akabva ipapo akaenda kuPenueri akavakumbira zvimwechetezvo. Varume vokuPenueri vakamupindurawo zvimwechetezvo zvakapindurwa navarume vokuSukoti. Akataurira varume vomuPenueri achiti, “Kana ndadzoka zvakanaka, ndichakoromora shongwe iyi.” Izvozvo Zebha naZarimuna vakanga vava muKarikori navarwi vavo vehondo yavarume vainge zviuru gumi nezvishanu. Ndovose vakanga vasara pavarwi vehondo vokumabvazuva nokuti kwakanga kwafa varume varwi vehondo zana namakumi maviri ezviuru. Gidheoni akakwira nenzira yavanogara mumatendhe kumabvazuva kweNobha neJogibheha, akabva afuta hondo iyoyo oirwisa nokuti hondo iyoyo yakanga yavarayirwa. Zebha naZarimuna vakagoti gumbo ndibereke. Iye akadzingirirana navo ndokubata madzimambo maviri evaMidhiani vanaZebha naZarimuna. Akaitisa hondo yose yevaMidhiani chimwandamwanda. Gidheoni mwana waJoashi akadzoka kundorwa kumakata okuHeresi. Akabata rimwe jaya rokuSukoti ndokuribvunzisisa. Rakamunyorera mazita amachinda neavakuru vakuru vomuSukoti anosvika makumi manomwe namanomwe avarume. Gidheoni akasvika kuvarume vaya vomuSukoti akati, “Chionaika kuti Zebha naZarimuna vamakambondidadira muchiti, ‘Ko iye Zebha naZarimuna wacho wati wavabata here zvaunoti tipe varwi vako vafa nenzara chokudya?’ ” Akabata vakuru vakuru veguta reSukoti akavarova norukato neminzwa achiitira kuti vanhu vemuSukoti vawane chidzidzo pavari. Akandoputsa shongwe yePenueri ndokuuraya varume vomuguta iroro. Gidheoni akabvunza Zebha naZarimuna kuti, “Varume vamakauraya kuTabhori vakanga vakaita sei?” Ivo vakati, “Vakanga vakaita semi, vose vachinge vanakomana vamambo chaivo.” Akati, “Vakoma navanun'una vangu, vomumba chaivo. Ndinopika naTenzi mupenyu kuti dai makavarega vari vapenyu handaikuurayai.” Ipapo akati kuna Jeteri dangwe rake, “Simuka uvauraye.” Asi mukomana uyu haana kuvaburitsira bakatwa rake muhara, aitya nokuti akanga achiri muduku. Zebha naZarimuna vakati, “Simukai mutiuraye iyemi pachenyu nokuti ndimi mabve zano, mune simba.” Gidheoni akasimuka ndokuuraya Zebha naZarimuna, ndokubva atora nyembe dzaiva muhuro mengamera dzavo. Varume veIsiraeri vakataurira Gidheoni vachiti, “Zvamakatinunura mumaoko avaMidhiani dai mukachiva zvenyu mutongi wedu iyemi muchiteverwa nomwanakomana wenyu kwozouya muzukuru wenyu mukomana.” Asi Gidheoni akavati, “Ini handisi kuzova mutongi wenyu, mwanakomana wangu haasi kuzovawo mutongi wenyu, asi Tenzi ndiye achava mutongi wenyu.” Gidheoni akatiwo kwavari, “Chinhu chimwechete chandinokukumbirai ndechokuti mumwe nomumwe wenyu ngaandipe mhete dzomunzeve dziri muzvinhu zvaakapamba.” Akadaro nokuti vaiva nemhete dzendarama dzomunzeve, zvavakanga vari vechiIshimaeri. Ivo vakati, “Zvokukupai, tinokupai zvedu.” Vakawaridza jira murume woga woga ndokubva atora mhete muzvinhu zvaakapamba, achikandapo. Uremo hwemhete dzendarama dzaakanga avakumbira dziya hwakaita chiuru chimwechete chamashekeri endarama namazana manomwe awo, tisingaverengei zvedu nyembe namakoza nehanzu dzeruvara rwehute dzaipfekwa namadzimambo evaMidhiani uye ngetani dzaiva mumitsipa yengamera dzavo. Gidheoni akagadzira nazvo hanzu yeefodhi akandoiisa muguta rake reOfura. VaIsiraeri vose vakaita unzenza hwokuinamata ikoko ikabva yava chinhu chakateya Gidheoni nemhuri yake. Naizvozvo vaMidhiani vakakurirwa navaIsiraeri, havana kana kuzombosimudza musoro. Panguva yaGidheoni, nyika yakava norunyararo kwamakumi mana amakore. Jerubhaari mwanakomana waJoashi akandogara kumusha kwake. Zvino Gidheoni uyu aiva navana vakomana makumi manomwe vake vokubereka nokuti aiva navakadzi vazhinji. Murongo wake aigara kuShikemu akamuberekerawo mwana mukomana. Iye akamutumidza zita rokuti Abhimereki. Gidheoni mwanakomana waJoashi akazofawo anyatsokwegura, akavigwa muguva rababa vake kuOfura ravaAbhiezeri. Zvakazoitika kuti Gidheoni paakangofa vaIsiraeri vakapanduka vakaita unzenza hwokunamata vanaBhaari. Vakazvigadzirira Bhaaribheriti kuti ave mwari wavo. VaIsiraeri vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo akanga avanunura mumaoko avavengi vavo vakanga vakavakomberedza. Havana zvakare kana kumboita hanya nevemhuri yaJerubhaari, (Gidheoni uya uya) maererano nezvakanaka zvose zvaakaitira vaIsiraeri. Abhimereki mwanakomana waJerubhaari akaenda kuShikemu kwanasekuru vake, hanzvadzi dzaamai vake akataurirana navo pamwechete nehama dzose dzokwaamai vake achiti, “Mubvunzo uyu usvitsei munzeve dzavanhu vose vomuShikemu wokuti, ‘Chiiko chamunosarudza pane izvi? Mungade here kuti makumi manomwe avanakomana vaJerubhaari ndivo vova vatongi venyu kana kuti munhu mumwechete chete ave mutongi wenyu? Zivaiwo kuti imi neni tiri hama nehama, tiri veropa rimwechete chairo.’ ” Madzisekuru ake okwaamai vake vakasuma zvose izvozvi kuvatungamiriri vose vokuShikemu. Vakasarudza kutungamirirwa naAbhimereki nokuti vaiti, “Muzukuru wavo.” Vakatora zvidimbu makumi manomwe zvemari yesirivha mutemberi yaBhaaribheriti, vakapa Abhimereki, nemari iyoyo akatsvaga madzenga avanhu asingakatari aakaenda nawo. Akaenda kumusha kwababa vake kuOfura, akauraya vakoma navanun'una wake makumi manomwe, padombo rimwechete. Asi Jotamu, gotwe raJerubhaari ndiye oga akapunyuka nokuti akanga ahwanda. Varume vokuShikemu vakaunganidzana nevokuBhetimiro, vakagadza Abhimereki umambo pamuoku wokuShikemu wakatsigirwa. Pazvakasvika munzeve dzaJotamu, iye akaenda akandokwira pamusoro pegomo reGerizimu, akataura kwavari achiita zvokudaidzira kwazvo achiti, “Varume veShikemu, teererai munzwe zvandava kutaura kuti Mwari agokunzwaiwo. Rimwe zuva miti yakaenda kundogadza mambo wokuitonga. Yakati kumuti womuorivhi, ‘Iva mambo wedu.’ Asi muorivhi wakati kwairi, ‘Heya munoti ndisiye mafuta angu anoshandiswa kupa rukudzo vamwari namadzimambo ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here?’ Miti iya ndokuti kumuonde, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’ Asi muonde wakati kwairi, ‘Heya munoti ndisiye kutapira kwangu nemichero yangu iyi yakanaka kudai ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here?’ Miti yakati kumugirepisi, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’ Asi mugirepisi wakati, ‘Heya munoti ndisiye waini yangu inofadza vamwari navanhu, ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here.’ Miti yose yakazoti kurukato, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’ Rukato rwakati kwairi, ‘Kana zviri zvechokwadi kuti muri kuda kundigadza kuti ndive mambo wenyu, uyai mupotere mumumvuri wangu. Kana zvisizvo, moto ngaubve murukato uroromese miti yemisidhari yokuRebhanoni.’ “Naizvozvo hameno kana zvokugadza Abhimereki umambo makazviita muchiti muri kuita zvakanaka, uye maifunga kuti muri kuita zvinhu kwazvo, zvimwe munofungawo kuti zvamakaitira Jerubhaari nemhuri yake zvinokodzerana nezvaakaita. Chandinodariro ndechichi chokuti, baba vangu vakakurwirai, vakazvipinza munjodzi yokuti vaigona kufa, vakakununurai mumaoko avaMidhiani. Asi nhasi uno iyemi ndimi mamukira imba yababa wangu, mukauraya vana vake, varume makumi manomwe padombo rimwechete, mukatora Abhimereki mwana waakabereka zvake nomuranda wake, mukamugadza kuti ave mambo wavanhu vomuShikemu nokuti muzukuru wenyu. Zvino kana zvamaitira Jerubhaari nemhuri yake nhasi uno mazviita muri pachokwadi uye nomazvo, farai zvenyu mupemberere Abhimereki, iye ngaakufarireiwo kwazvo. Asi kana zvisizvo moto ngaubve muna Abhimereki uroromese vanhu vomuShikemu nevomuBhetimiro. Moto ngaubvewo mune vanhu vemuShikemu nevomuBhetimiro uroromese Abhimereki.” Jotamu akabva atiza ndokumhanya oenda kuBheeri. Akagarako nokuti aitya Abhimereki mukoma wake. Abhimereki akatonga vaIsiraeri kwamakore matatu. Mwari akapinza mweya usina kunaka pakati paAbhimereki navanhu vomuShikemu ndokubva vanhu vomuShikemu ivava vapandukira Abhimereki. Mwari akaitira izvozvi kuti mhosva youtsinye hwakaitwa naAbhimereki hwokuuraya vakoma navanun'una vake, vanakomana vaJerubhaari makumi manomwe, iripwe, ropa ripfukire iye Abhimereki navanhu veShikemu vakamutsigira kuuraya vakoma navanun'una vake. Varume vokuShikemu vakaisa varume vokumuhwandira pamusoro pamakomo. Vaiita ugandanga hwokupamba zvinhu zvevaipfuura neko, zvikagosvika munzeve dzaAbhimereki. KuShikemu kwakazouyiwa naGaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake, vanhu vemo ndokuvimba naye. Vakaenda kuminda vakatanha magirepisi muminda yavo yomugirepisi, vakaasvina. Vakaita mabiko ndokuenda mumba yamwari wavo, ndokudya nokunwa vachinyomba Abhimereki. Gaari mwanakomana waEbhedhi akati, “Abhimereki chiiwo zvake? Naiyesuwo vanhu veShikemu tiri vanhu rudzii chaizvo zvatinozvirega tichingotongwa nomunhu uyu? Handiti Jerubhaari naZebhuri muchinda wake vaitoshandira Hamori baba vaShikemu. Zvino tinofanira kumushandira pamusana pei? Dai kuri kuti ndini ndaitwa mutungamiriri wenyu, ndaibvisa Abhimereki pachigaro. Ndaiti kuna Abhimereki, ‘Kukuchana zvako nehondo yako yose, uuye tionane.’ ” Zebhuri mutungamiriri weShikemu paakanzwa zvakanga zvataurwa naGaari mwanakomana waEbhedhi akatutuma nehasha. Akatumira nhume kuna Abhimereki kuAruma muchiverevere achiti, “Hevo, kuno kuShikemu kwakauyiwa naGaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake varikuisa muvanhu veguta mweya wokukupandukirai. Saka imi dai machiuya nousiku, iyemi navanhu venyu vamunavo, muzovahwandira musango. Kana ava mangwanani, zuva robuda, mokurumidzawo kumuka, mobva mauya muguta. Kana Gaari navanhu vaanenge anavo vouya kuzokurwisai, moita zvamunokwanisa navo.” Abhimereki navanhu vose vaaiva navo vakasimuka nousiku vakandohwandira guta reShikemu vari muzvikwata zvina. Gaari mwanakomana waEbhedhi akabuda akandomira kusuo guru reguta iri. Abhimereki navanhu vaaiva navo vachibva vabuda pavakanga vakahwanda. Gaari paakavaona akati kuna Zebhuri, “Tarisai muone! Vanhu avo vari kuburuka pamusoro pamakomo avo.” Zebhuri ndokumuti, “A-a, muchidaro! Haisi mimvuri zvayo yamakomo yamuri kuona muchiti vanhu?” Asi Gaari akatizve, “Tarisai muone! Vanhu avo vari kubva parukuvhute chaipo rwenyika. Chimwe chikwata chiri kubva kumuti wemuoku panofemberwa.” Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Zvino wava kupi? Hausiwe here wokumbotaura muromo wokuti, ‘Abhimereki chii zvake, zvatinozvirega tichitongwa nomunhu uyu? Havasivo here vanhu vawaishora ivava? Chiendaka zvino uvarwise.’ ” Gaari akatungamirira varume veShikemu akandorwisa Abhimereki. Abhimereki akavadzingirira Gaari akamutiza, vazhinji vakakuvadzwa kusvikira kusuo guru reguta iri. Abhimereki akandogara kuAruma. Zvino Zebhuri akadzinga Gaari nehama dzake, vakasazokwanisa kugaramo. Ramangwana racho vanhu vakaenda zvavo kuminda, Abhimereki ndokuzvinzwa. Saka akatora vanhu vake, akavaisa muzvikwata zvitatu, ndokuvahwandira kuminda ikoko. Akatarisa akaona vanhu vachibuda muguta muya. Akavavinga akavauraya. Abhimereki nechikwata chaaiva nacho, vakamhanyira kusuo guru reguta vakamirapo. Zvimwe zvikwata zviviri zviya zvakavinga vanhu vaiva muminda zvikavauraya. Musi iwoyo Abhimereki akaswera achirwisa guta iroro, kusvikira arikurira, akauraya vanhu vaivamo. Akariparadza, akarimwaya munyu. Vanhu vose vomushongwe yomuShikemu vakazvinzwa, vakapinda munhare mutemberi yaEribheriti. Abhimereki paakanzwa kuti vomushongwe yomuShikemu vaunganidzana imomo, iye navanhu vose vaakanga anavo vakakwira mugomo reZarimoni, akatora demo mumaoko akatema masanzu omutsvairo akaatakura pamapfudzi. Akaudza vaaiva navo kuti, “Chimbidzoitai zvamaona ndichiita.” Saka vanhu vake vose vakatemawo masanzu vakatevera Abhimereki vakaarongerera akakwamirana nenhare iyoyo, ndokutungidza moto pamusoro pavanhu vaiva mukati. Saka vanhu vose vomushongwe yomuShikemu vakafa, vanhurume navanhukadzi vaikarosvitsa chiuru chavanhu. Abhimereki akavinga guta reTebhezi. Akakomba Tebhezi iri, akarikurira. Asi muguta iri maiva neshongwe yakasimba kwazvo. Varume vose navakadzi navatungamiriri vose veguta iroro vakatizirako vakazvizaririramo vakabva vakwira kudenga reshongwe iyoyo. Abhimereki akasvika pashongwe iyi akairwisa. Akaswedera pamusuo chaipo peshongwe iyi kuti aipise nomoto. Mumwe mukadzi akapotsera huyo pamusoro waAbhimereki, ikamutekesha dehenya rake. Akabva akurumidza kudaidza rimwe jaya raimutakurira zvombo zvake, akariti, “Buritsa bakatwa rako muhara undipfuudze, vanhu vangazonditi akaurayiwa nomukadzi.” Jaya rake riya rakamubaya akabva afa. Varume vechiIsiraeri pavakaona kuti Abhimereki afa vakadzokera kumisha yavo. Ndomatsiviro akaita Mwari Abhimereki mhosva yokutadzira baba vake, yokuuraya vakoma navanun'una vake. Mwari akaitawo kuti vanhu vokuShikemu vapfukirwe nouipi hwavo hwose, kurengererwa rushambwa kwavakaitwa naJotamu mwanakomana waJerubhaari. Shure kwaAbhimereki kwakazomukawo mumwe wokununura Isiraeri ainzi Tora mwana waPuwa, mwanakomona waDhodho wedzinza rokwaIsakari. Aigara kuShamiri munyika yamakomo yokwaEfuraimu. Akatonga vaIsiraeri makumi maviri ana makore matatu, akazofa, akavigwa kuShamiri. Mushure maTora makazomuka Jairi wokuGireadhi, akatonga vaIsiraeri kwamakumi maviri amakore ana makore maviri. Akanga ane makumi matatu avana vakomana, vaitasva madhongi makumi matatu, vaine makumi matatu amaguta anonzi Havhotijairi nanhasi uno, ari munyika yeGireadhi. Jairi akazofa akavigwa kuKamoni. VaIsiraeri vakaita zvakare zvisingadiwi naTenzi. Vakatangazve kunamata vanaBhaari naAshitaroti, vamwari vokuSiria, navamwari vokuSidhoni, navamwari vokuMoabhu, navamwari vevaAmoni, navamwari vavaFirisitia. Vakazvicheka ukama naTenzi. Vakakanda pasi zvokumunamata. Tenzi akavirukira vaIsiraeri nehasha akabva avaisa mumaoko evaFirisitia nomumaoko evaAmoni. Gore iroro, vakaonesa vaIsiraeri ndondo, vachivabata zvakaipa. Kwakapera makore gumi namasere vachibata zvakaipa kwazvo vaIsiraeri vokumhiri kwaJorodhani, kunyika yavaAmori, kuGireadhi. VaAmoni vakayambukawo Jorodhani kundorwisa vedzinza rokwaJudha nerokwaBhenjamini nerokwaEfuraimu zvokuti vaIsiraeri vakapinda pfumvu isingatauriki. VaIsiraeri vakachema kuna Tenzi vachiti, “Takakutadzirai nokuti takakufuratirai imi Mwari wedu tikandonamata vanaBhaari.” Tenzi akapindura vaIsiraeri achiti, “Handina kukununurai here kuvaIjipiti, nokuvaAmori nokuvaAmoni, nokuvaFirisitia? Makabatwa zvakaipa navaSidhoni navaAmareki navaMaoni, mukachema kwandiri ndikakununurai mumaoko avo. Kunyange zvakadaro makandifuratira mukandonamata vamwe vamwari, saka handichakununurai zvakare. Chiendaika zvenyu mundochemera vamwari vamakasarudza ivavo, vakununurei panguva yamunenge mava munhamo.” Asi vaIsiraeri vakati kuna Tenzi, “Takatadza isu! Itai zvenyu zvamunoda nesu. Tateterera, chatinongokumbira chete kuti mutinunurewo nhasi uno.” Saka vakabvisa pakati pavo vamwari vasingazikanwi, vakatangisa kunamata Tenzi, akabva atangawo kuva nehanya nenhamo dzavo. VaAmoni vakaunganidzirana hondo, vakandodzika matendhe kuGireadhi. VaIsiraeri vakaunganidzanawo vakandodzika matendhe kuMizipa. Vanhu, vatungamiriri vokuGireadhi, vechiIsiraeri, vakataurirana vachiti, “Ndiani angatange kurwisa vaAmoni? Ndiye achava mutungamiriri wavanhu, vose vokuGireadhi.” Zvino kwaiva naJefuta wokuGireadhi murume aiva mvumba chaiyo yokurwa, asi akanga ari mwana wepfambi, baba vake ari Gireadhi. Gireadhi akabereka vamwe vana vakomana nomudzimai wake. Vana ivavo pavakanga vakura vakadzinga Jefuta vachimuti, “Panhaka yababa vedu, iwe hapana chako nokuti uri mwana womumwewo mukadzi.” Jefuta akatiza vakoma navanun'una vake akandogara kunyika yeTobhu. Akabatana namamwe madzenga akati unga unga kwaari kufamba naye vachipamba vanhu. Kwati perei chinguva, Amoni akandorwisa vaIsiraeri. Amoni paakarwisa vaIsiraeri kudaro vatungamiriri vokuGireadhi vakandotora Jefuta kunyika yeTobhu. Vakati kuna Jefuta, “Uya uite mutungamiriri wedu tirwise vaAmoni.” Asi Jefuta akapindura vatungamiriri vokuGireadhi ava achiti, “Handiti imi makandivenga here, mukandidzinga mumusha mababa vangu? Nhasi mava mumatambudziko, mavakuuya kwandiri pamusana pei?” Vakuru vakuru veGireadhi vakamupindura vachiti, “He-ekaka ndokusaka tauya kwauri. Tati uende nesu kundorwisa vaAmoni somutungamiriri wavanhu vose vokuGireadhi.” Jefuta akapindurawo vakuru vakuru ava achiti, “Mukandidzorerazve kumusha kundorwisa vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu ndichava mutongi wenyu.” Vakuru vakuru vokuGireadhi vakati kuna Jefuta, “Tenzi ngaave chapupu pakati pedu, tichaita zvawataura.” Jefuta akaenda navakuru vakuru vokuGireadhi ava. Vanhu vakamuita mutongi nomutungamiriri wavo Jefuta akadzokerera kutaura mashoko ake aya pana Tenzi kuMizipa. Jefuta akatumira nhume kuna mambo wavaAmoni, achiti, “Chandakakutadzira chaicho chii kundivinga kudai kuzorwisa nyika yangu?” Mambo wevaAmoni akapindura nhume dzaJefuta dziya achiti, “Chikonzero ndechokuti vaIsiraeri pavaibva kuIjipiti, vakatora nyika yangu kubvira kuna Arinoni kusvikira kuna Jabhoku nokuna Jorodhani. Zvino idzore zvichakanaka.” Jefuta akatumira zvakare nhume kuna mambo wevaAmoni, akati kwaari, “Zvanzi naJefuta, vaIsiraeri havana kutora nyika yavaMoabhu kana yavaAmoni. Kwete. Asi vaIsiraeri pavakabva kuIjipiti, vakapfuura nokugungwa Dzvuku vakasvika kuKadheshi. Ipapo vaIsiraeri vakatumira nhume kuna mambo weEdhomu vachiti, ‘Tapota, tibvumireiwo kupfuura nomunyika yenyu.’ Asi mambo weEdhomu haana kana kuda kumbozvinzwa. Vakaitawo saizvozvo kuna mambo weMoabhu asi akaramba. Naizvozvo vaIsiraeri vakaita zvokutombogara zvavo kuKadheshi. Vakabva ipapo vakapfuura nomurenje vachiita zvokutopoterera nyika yeEdhomu neyeMoabhu vari nechokumabvazuva kweMoabhu, vakazodzika matendhe avo kumhiri kwaArinoni. Asi havana kupinda munyika yeMoabhu nokuti Arinoni ndorwaiva muganhu weMoabhu. “VaIsiraeri vakazotuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori, mambo weHeshibhoni. VaIsiraeri vakati kwaari, ‘Tibvumureiwo kupfuura nomunyika yenyu tichienda zvedu kunyika yedu.’ Asi Sihoni haana kugutsikana nezvokuti vaIsiraeri vapfuure nomunyika yake. Naizvozvo Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, vakandodzika matendhe avo kuJahazi, vakarwisa vaIsiraeri. Tenzi, Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakabva vavakurira. Nokudaro vaIsiraeri vakatorera vaAmori vaigaramo nyika yavo yose. Vakatorera vaAmori nyika yavo yose kubvira muna Arinoni kusvikira muna Jabhoku, uye kubvira kugwenga kusvikira muna Jorodhani. “Naizvozvo Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ndiye akatorera vaAmori nyika, achiipa vaIsiraeri. Zvino mavawo kuda kuvatorera here? Ko imimi, zvamunenge mapiwa namwari wenyu Kemoshi, hamutore here? Zvino nesuwo zvose zvatinenge tapiwa naTenzi, Mwari wedu, tinozvitora. Munokunda Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu here? Ko iye akambokakavadzana navaIsiraeri here, kana kurwisana navo muhondo? VaIsiraeri vakagara muHeshibhoni nemisha yaro, nomuAroero nemisha yaro, nomumaguta ose ari munyasi merwizi rwaArinoni, kwamazana matatu amakore. Nguva yose iyoyi makaregereiko kuatorazve? Naizvozvo hapana chandakakutadzirai. Ndimi mava kutonditadzira nokuita hondo neni. Tenzi ndiye Mutongi, ndiye achaenzanisa nhasi uno mhosva iri pakati pavaIsiraeri navaAmoni.” Asi mambo wavaAmoni haana kuita hanya neshoko raakanga atumirwa naJefuta. Mweya waTenzi wakauya pana Jefuta, akapfuura nomuGireadhi nomaManase, ndokusvika kuMizipa muGireadhi. Akazovinga vaAmoni achibva kuMizipa kuGireadhi. Jefuta akapika mhiko kuna Tenzi achiti, “Kana mukaisa vaAmoni mumaoko angu chinenge changotanga kubuda chete mumba mangu chichiuya kuzochingurana neni, pandinenge ndodzoka kuvaAmoni ndavakurira, chichava chaTenzi uye ndichachiita chibayiro chomupiro wokupisa.” Saka Jefuta akayambukira kundorwisa vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko ake. Akavakuya kubvira kuna Aroero kusvikira kunharaunda yokuMiniti zvichienda nokuAbherokeramimu akavauraya zvokuuraya zviya, mumaguta avo makumi maviri. VaAmoni vakabva vakurirwa navaIsiraeri. Jefuta paakadzokera kumusha kwake kuMizipa mwanasikana wake akabuda kumuchingura achiridza hosho achidzana. Ndiye aingova mwana wake mumwechete, akanga asina kana mumwe mwana, mukomana kana musikana. Achingomuona akabvarura hanzu dzake achiti, “Baba-iwe kani, mwanangu! Inga wandiparadza, wandipinza nhamo chaiyo nokuti ndakasimudza muromo kuita mhiko kuna Tenzi yandisingagoni kutyora.” Musikana uyu ndokuti, “Baba, kana makasimudza muromo wokupika mhiko kuna Tenzi, itai zvenyu kwandiri zvamakapika izvozvo nokuti Tenzi akakubatsirai kutsividza vavengi venyu vaAmoni.” Akakumbira baba wake kuti, “Asi chandinongokumbira ndechichi chokuti dai mukambondirega kwemwedzi miviri, ndimbofamba-famba zvangu mumakomo neshamwari dzangu, ndichichema kuti ndichafa ndiri mhandara kudai.” Baba vakati, “Enda zvako.” Vakamubvumidza kuenda kwemwedzi miviri. Iye neshamwari dzake vakaenda kumakomo kundochema kuti achafa ari mhandara. Kuzoti mwedzi miviri iya yapera akadzokera kuna baba vake, vakabva vazadzikisa paari mhiko yavakanga vapika. Musikana uyu akanga asati aziva murume. Yakabva yava tsika yechiIsiraeri, yokuti vasikana vechiIsiraeri vaienda gore negore kundochema vachirangarira mwanasikana waJefuta wokuGireadhi, kwamazuva mana pagore. Vanhu vokwaEfuraimu vakaunganirana hondo, vakayambukira kuZafoni vakati kuna Jefuta, “Wakayambukireiko kundorwisa vaAmoni usina kutidaidza kuti tiende pamwechete newe? Tinoda kukupisira mumba mako nomoto.” Jefuta akati kwavari, “Ini navanhu vangu takava negakava redaka chairo navaAmoni. Ndakakudaidzaika imi, asi hamuna kuzondinunura mumaoko avo. Pandakaona imi musina kuzondinunura, ndakangoti chauya chauya ndotozvionera chokuita, ndikayambukira vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu. Zvino chamazouyira nhasi uno kuzondirwisa chii?” Jefuta akaunganidza vanhu vose vomuGireadhi akarwisana nevokwaEfuraimu akavarakasha nokuti vokwaEfuraimu vakanga vaburitsa muromo wokuti “Imi vaGireadhi muri vapanduki vakatobva zvavo kwaEfuraimu, vasokeri, makangoti bvochowo kugara pakati pevokwaEfuraimu nevokwaManase!” VokuGireadhi vakandomira kumazambuko aJorodhani okuenda kwaEfuraimu. Munhu wokwaEfuraimu ainge apunyuka muhondo akati, “Ndingayambukewo here?” Vanhu vokuGireadhi vaimuti, “Uri wedzinza rokwaEfuraimu here?” Kana aipindura achiti, “Kwete.” Ivo vaimuti iti, “Shibhoreti.” Iye aikanganisa kuritaura oti, “Sibhoreti” achitadza kuridudza, vaibva vamubata, vomuuraya pazambuko pakarepo. Zviuru makumi mana nezviviri zvekwaEfuraimu zvakaurayiwa nguva iyoyo. Jefuta akatonga vaIsiraeri kwamakore matanhatu. Jefuta wokuGireadhi akazofawo ndokuvigwa muguta rake muGireadhi. Mushure maJefuta, Ibhuzani wokuBheterehemu ndiye akatonga Isiraeri. Akanga aina vana vakomana makumi matatu navana, vasikana makumi matatu. Akaroodza vanasikana vake kune vamwe vasiri vedzinza rake. Akaroorera vanakomana vake vakadzi makumi matatu vasiri vedzinza rake. Ibhuzani akatonga Isiraeri makore manomwe. Ibhuzani akazofa akavigwa kuBheterehemu. Mushure maIbhuzani, Eroni wokwaZebhuruni ndiye akatonga Isiraeri kwegumi ramakore. Eroni wokwaZebhuruni akazofa, akavigwa kuAijaroni munyika yakwaZebhuruni. Shure kwaEroni, Abhudhoni mwanakomana waHireri wokuPiratoni ndiye akatonga Isiraeri. Aiva navana vakomana makumi mana, navazukuru vechikomana makumi matatu vaitasva makumi manomwe amadhongi. Akatonga Isiraeri kwamakore masere. Abhudhoni mwanakomana waHireri, wokuPiratoni, akazofa, akavigwa kuPiratoni kunyika yokwaEfuraimu, munyika yamakomo yavaAmareki. VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Tenzi akavaisa mumaoko avaFirisitia kwamakore makumi mana. Kwaiva nomumwewo murume ainzi Manoa wedzinza rokwaDhani aigara muguta reZora. Aiva momudzimai akanga asina mbereko, asina mwana. Mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akati, “Chinzwa, iwe hauna mbereko, hauna mwana, asi uchazova napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Naizvozvo uchenjerere kuti usanwe waini kana doro, uregewo kudya chinhu chakan'ora, nokuti uchava napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Haafaniri kumbofa akaveurwa vhudzi rake, nokuti achava muNaziri waMwari kubvira pakuberekwa kwake. Achatanga kununura vaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.” Mudzimai uyu akaenda akandotaurira murume wake achiti, “Munhu waMwari auya kwandiri. Uso hwake hwakafana nouso hwomutumwa waMwari, hunotyisa kwazvo. Handina kumubvunza kuti anobvepi naiyewo haana kundiudza zita rake. Asi anditi, ‘Chinzwa, uchava napamuviri ugobereka mwana mukomana. Naizvozvo usanwe waini kana kunwa doro, uregewo kudya chinhu chakan'ora nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubvira pakuberekwa kwake kusvikira musi waanofa.’ ” Manoa akanamata kuna Tenzi achiti, “Tenzi wangu, ndinokumbira kuti munhu waMwari uya wamatuma auyezve kwatiri, atidzidzise marerero atinofanira kuita mukomana iyeyo achaberekwa.” Mwari akanzwa chichemo chaManoa. Mutumwa waMwari akasvikazve kumukadzi uyu agere zvake mumunda. Asi murume wake Manoa akanga asipo. Mudzimai uyu akamhanyira kundoudza murume wake achiti, “Imi we-e, munhu uya wokuuya kwandiri musi uya wazviratidzazve kwandiri.” Manoa akasimuka akatevera mudzimai wake. Paakasvika kumurume iyeyo akati, “Ndimi makambotaura nomudzimai uyu here?” Iye akati, “Ndini.” Manoa akati, “Zvino kana zvamakareva zvazoitika, mhiko yaanofanira kuchengeta nezvaanofanira kuita ndezvipiko?” Mutumwa waTenzi akati kuna Manoa, “Mudzimai iyeyu ngaangwarire kuita zvose zvandakamuudza. Ngaarege kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuti womuvhaini. Ngaarege kunwa waini kana doro, kana kudya chinhu chakan'ora. Mudzimai iyeyu, ngaaite zvose zvandakamuudza.” Manoa akati kumutumwa waTenzi, “Dai mamboti mirei zvishoma ndikubayirei kambudzana.” Mutumwa waTenzi akati kuna Manoa, “Kana mukandimisa zvenyu, zvokudya zvenyu handisikuzodya. Asi kana zviri zvomupiro wokupisa, upirei kuna Tenzi.” (Manoa haana kunge aziva kuti mutumwa waTenzi.) Manoa akabvunza mutumwa waTenzi achiti, “Ko zita renyu ndiani, kuti tigozokukudzai kana zvamakataura zvazoitika?” Mutumwa waTenzi akati kwaari, “Chaunobvunzira zita rangu chii, ko zvariri zitazve rinoshamisa zvisingatauriki?” Manoa akatora mbudzana nomupiro wembesanwa akazvipira paruware kuna Tenzi anoita zvishamiso. Manoa nomudzimai wake vachingunotarisa kudaro, murazvo womoto wepaatari wakakwira kudenga, mutumwa waTenzi ndokubva akwirawo nomurazvo womoto iwoyo. Vakabva vati pasi zvambarara. Mutumwa waTenzi haana kuzozviratidzazve kuna Manoa nomudzimai wake. Ndipo pakabva paziva Manoa kuti mutumwa waTenzi. Manoa akati kumudzimai wake, “Uku ndiko kufa chaiko kwatavakuita uku, pamusana pokuti taona Mwari.” Asi mudzimai wake akati kwaari, “Dai Tenzi anga achida kutiuraya, angadai asina kugamuchira mupiro wedu wokupisa newembesanwa wabva mumaoko edu, kana kutizivisa zvinhu zvose izvi zvaakatiudza.” Mudzimai wake akabereka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Samusoni. Mukomana uyu akakura, Tenzi akamukomborera. Mweya waTenzi wakatangisa kushanda maari, iye ari kuMahanedhani pakati peZora neShitaori. Samusoni akaenda kuTimuna akaona mumwe musikana wechiFirisitia. Akadzoka kuna baba naamai vake ava kuti, “Ndakaona mumwe musikana wechiFirisitia kuTimuna. Zvino ndiroorereiwo musikana iyeyo.” Asi baba naamai vake vakati kwaari, “Ko washaya mukadzi wokuroora here pakati pehama dzako kana kuti parudzi rwedu rwose zvowoda kundoroora mukadzi kuvanhu vasina kudzingiswa, vaFirisitia?” Asi Samusoni akati kuna baba wake, “Ndiroorerei iyeyo chete, ndiye wandada.” Baba naamai vake vakanga vasiri kuziva kuti Tenzi ndiye aimuitisa izvozvo kuti pazova nechimwe chinokonzera kuti vaFirisitia varwiswe. Izvozvo vaFirisitia ndovaitonga vaIsiraeri. Samusoni akadzika kuTimuna pamwechete nababa naamai vake. Paakasvika kuminda yemigirepisi yokuTimuna, akavingwa neshumba ichirikuzvinzwa ichidzvova. Mweya waTenzi wakauya paari nesimba guru kwazvo akabva atsemura shumba yacho napakati kunge munhu ari kutsemura mbudzana chaiyo. Asi akanga asina chimwe chinhu mumaoko. Haana kutaurira baba kana amai vake zvaakanga aita. Samusoni akadzikako akandokurukurirana nomukadzi uya. Mukadzi uyu aidiwa naSamusoni. Kwakati perei chinguva, Samusoni akadzokera ikoko kundotora mukadzi wake. Akambotsauka munzira achida kundoona chitunha cheshumba chiya wanei mukati meshumba iya mune bumha renyuchi nouchi. Akahukwaturira muruoko rwake ndokupfuura nerwendo rwake, oenda zvake achihudya. Akasvika kuna baba naamai vake, akavapawo humwe, ndokubva vadya zvavo. Asi haana kuvaudza kuti hwabva muchitunha cheshumba. Baba waSamusoni akadzikawo kumusha kwomuroora wavo. Samusoni akaita mabiko ikoko, setsika yaiitwa navakuwasha. Veko pavakamuti bha kumuona, vakamupa vaperekedzi, varume makumi matatu. Samusoni akati kwavari, “Regai ndikuitirei chirahwe changu, kana mukagona kundiudza zvachinoreva mumazuva manomwe aya amabiko, mukachidudzira, ini ndichakupai makumi matatu epesa dzamachira erineni namakumiwo matatu ehanzu dzapamabiko. Asi mukatadza kuchirapanura imi ndimi muchandipa pesa dzamachira erineni makumi matatu namakumiwo matatu ehanzu dzapamabiko.” Vakamuti, “Tiitire chirahwe chako tinzwe.” Akavati, “Mune chinodya makabva chokudya, mune chine simba mukabva dapurahunanzva.” Mazuva matatu ose vakakoniwa kurapanura chirahwe chake. Pazuva rechina vakati kumukadzi waSamusoni, “Nyengetedza murume vako, atiudze zvinoreva chirahwe ichi, nokuti tingatokupisai nomoto imi mose nemhuri yababa wako. Heya makatikoka kuno kuti muzotipinza urombo nhai?” Mukadzi waSamusoni akamuchemera achiti, “Unondivenga chete, haundidi. Wakaitira chirahwe vanhu vorudzi rwangu, asi hauna kundiudza zvachinoreva.” Samusoni ndokuti, “Chinzwaka! Baba wangu naamai vangu, handina kumbovataurira! Chandingazoudzirawo iwewe chii?” Mukadzi uyu akamuchemera kwamazuva manomwe mazuva ose amabiko avo. Kuzoti rava rechinomwe Samusoni akazomuudza nokuti mukadzi wake akangoramba ati naye nanga nanga, akabva andoudza vanhu vorudzi rwake zvachinoreva. Zuva risati radoka pazuva rechinomwe iroro, vanhu vomuguta iri vakati kuna Samusoni, “Chii chinotapira kupinda uchi? Chii chine simba kupinda shumba?” Iyewo akavati, “Heede, dai musina kutorima netsiru rangu mungadai musina kuziva chirahwe changu.” Mweya waTenzi wakauya paari nesimba guru kwazvo. Akadzika kuAshikeroni akauraya makumi matatu avarume vomuguta iroro, akapamba zvinhu zvavo, akandopa hanzu dzamabiko kune vaya vakanga varapanura chirahwe chiya. Akagumbuka kwazvo, akadzokera kumusha kwababa vake. Mukadzi waSamusoni akazova mukadzi womumwe wake, aiva muperekedzi wake. Kwati perei chinguva, yave nguva yokukohwa koroni, Samusoni akaenda kundobvakachira mukadzi wake akamuigira mbudzana. Akasvikoti, “Ndava kudawo kuchipinda mumba nomukadzi wangu.” Asi vatezvara vake vakaramba. Vakati, “Ndakatosvika pokunyatsofunga kuti, imi hamuchambomuda zvenyu, ndikabva ndamupa zvangu kune muperekedzi wenyu uya. Inga munun'una wake akatonaka kupinda mukoma wake wani. Dai matora zvenyu iyeyo pachinzvimbo chake.” Samusoni akati kwavari, “Kuwana chii zvacho chandinenge ndaita kumaFirisitia chokuvatsvata, rwendo runo mhosva haisi yangu.” Saka Samusoni akandobata makava mazana matatu, ndokuasunganidza miswe yawo ari maviri maviri. Pakati pemiswe miviri yawo yakanga yakasunganidzwa akaisa zhenje romoto. Paakatungidza mazhenje omoto aya, akabva ati makava iwayo muminda yavaFirisitia isati yakohwiwa, sunde. Ndokupisa kwaakaita zvisote zvekoroni nembesanwa dzakanga dzakamira muminda, pamwechete neminda yemagirepisi neyemiorivhi. VaFirisitia vakabvunzana vachiti, “Ndianiko aita izvi?” Zvikanzi, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimuna uya nokuti vatezvara vake vakatora mukadzi wake vakamupa kune mumwe aiva muperekedzi wake.” VaFirisitia vakaendako, vakapisa nomoto mukadzi iyeyo nababa wake. Samusoni akavati, “Kana ariwo maitiro enyu aya chokwadi ndinotsidza kuti ndichatokutsividzai ndokuzoenda zvangu.” Akavauraya chaizvo gumi nefararira, ndokubva aenda kundogara mubako rokuEtamu. VaFirisitia vakakwira vakandodzika matendhe avo munyika yaJudha. Vakabva vaita fararira kurwisa guta rose reRehi. Varume vomudzinza raJudha vakabvunza kuti, “Chamavinga kuzotirwisira chii?” Ivo vakati, “Tauya kuzosunga Samusoni kuti timutsividze zvaakatiitira.” Varume zviuru zvitatu vedzinza rokwaJudha vakadzika kubako rokuEtamu vakandoti kuna Samusoni, “Hauzivi kuti vaFirisitia ndivo vanotitonga here? Zvino chii chawakatiparira ichi?” Iye akati, “Ndiri kuvatsividza zvavakandiitira.” Ivo vakati kwaari, “Tadzika kuno kuzokusunga kuti tikuise mumaoko evaFirisitia.” Samusoni akati kwavari, “Nditsidzirei kuti hamuzondiuraya imi pachenyu.” Ivo vakati, “Kwete, tichangokusunga chete tokuisa mumaoko avo, hatizokuuraya.” Vakamusunga netambo mbiri itsva, ndokumubvisa pabako apa. Kuzoti asvika kuguta reRehi, vaFirisitia vakauya kuzomuchingura vachipemberera. Mweya waTenzi wakauya paari nesimba. Tambo dzakanga dzakasunga maoko ake dzakadambuka seshinda yefurakisi yatsva nomoto. Tambo dzakanga dzakamusunga ndokubva dzananauka kubva mumaoko ake. Akawana rushaya rwedhongi rwakanga ruchakasimba, akarutora akauraya narwo chiuru chavarume. Samusoni akati, “Norushaya rwedhongi ndakavaita matutu matutu norushaya rwedhongi ndakauraya chiuru chavanhu.” Paakapedza kutaura akakanda pasi rushaya rwedhongi rwuya. Nzvimbo iyoyo yakapiwa zita rokuti Ramatirehi. Samusoni akanga afa chaizvo nenyota, akachema kuna Tenzi achiti, “Makasevenzesa ini muranda wenyu kuunza ruponeso urwu rukuru. Ndofa here zvangu nenyota ndichizova mumaoko avanhu vasina kudzingiswa?” Mwari ndokutsemura guvi raiva muRehi makaremo mvura ndokubudamo. Samusoni akamwa akabva anzwa pano moyo, simba rake rikabva radzoka. Zita rechisipiti ichocho rakabva ranzi Enihakore, chichiriko kuRehi nanhasi uno. Samusoni akatonga vaIsiraeri munguva dzavaFirisitia kwamakore makumi maviri. Zvino Samusoni akazoenda kuGaza kwaakaona pfambi akatadza nayo. Vanhu vokuGaza vakaudzwa kuti “Samusoni akauya kuno.” Vakapoteredza paakanga ari, vakamugaririrawo pasuwo guru reguta. Vakaramba vakati mwiro usiku hwose, vachiti, “Ngatimumirirei kusvikira kwaedza, tozomuuraya.” Asi Samusoni akarara kusvikira pakati pousiku. Akazomuka pakati pousiku ipapo akadzura misuo miviri pamwechete namapango acho emumativi namazariro okuzaririsa, ndokuzvibipitira pamapfudzi oenda nazvo kugomo rakatarisana neHebhuroni. Gare gare Samusoni akadanana nomumwe mukadzi ainzi Dheraira wokumanhika ekuSoreki. Madzishe avaFirisitia akauya kwaari akati, “Munyengetedze uone panobva simba rake nenzira dzatingamukurire nadzo kuti timusunge tichizomukunda. Mumwe nomumwe wedu achakupa mari yesirivha inoita chiuru chimwechete nezana.” Dheraira akati kuna Samusoni, “Ndiudzeiwo kunobva simba renyu guru, nokusungwa kwamungaitwe kuti mukurirwe nomunhu.” Samusoni akamupindura achiti, “Kana vakandisunga netsembwe itsva dzouta nomwe, tambo dzichiri nyoro, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Madzishe avaFirisitia vakamuunzira tsembwe dziya dzouta, tambo itsva nomwe dzichiri nyoro, iye akabva amusunga nadzo. Izvozvo muimba yomukati ainge ane varume vakanga vakahwandira Samusoni. Akazoti kwaari, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Asi Samusoni akadambura tsembwe dziya dzouta sokudambuka kunoita shinda yanzi vave nomoto. Saka kwaibva simba rake hakuna kuziikanwa. Dheraira akati kuna Samusoni, “Uri kuzvionaka izvi! Wandiita zvako rema nokundiudza nhema. Ndiudzewo kuti ungasungwe sei.” Samusoni akati kwaari, “Kana vakandisunga netambo dzavo itsva dzisina kumboshandiswa, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Saka Dheraira akatora tambo mbiri itsva, akamusunga nadzo ndokumuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Izvozvo muimba yomukati makanga muine varume vakanga vakamuhwandira. Asi akadambura tambo dziya mumaoko ake sokunge ari kudambura shinda. Dheraira akati kuna Samusoni, “Kusvikira parizvino, wandiita zvako rema chairo nokundiudza nhema! Ndiudzewo kuti ungasungwe sei?” Iye akati kwaari, “Kana ukaruka mhotsi nomwe revhudzi romusoro wangu neshinda zvakasimbarara nechipeneti. Ipapo ndichashaya simba ndigoitawo zvakangoita vamwe vanhu.” Samusoni akati avete, Dheraira akarukira mapfundo evhudzi rake manomwe pamwechete nejira riya akaroverera hoko, ndokuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia.” Akati vharavhazhu kumuka, ndiye hoko iya nechokurukisa pamwechete nejira racho dzipu. Dheraira akati kwaari, “Ungagoti unondida seiko, iwe mwoyo wako uri kurekure neni? Rwendo runo rwava rwechitatu, uchindiita zvako rema, usingandiudze kunobva simba rako guru rakadai.” Dheraira akaramba achimunetsa zuva nezuva nezvaaitaura kusvikira Samusoni aneta zvokukungura kufa. Ndipo paakazodura pachena zvaiva mumwoyo make achiti, “Musoro wangu uyu hausati wamboveurwa nechisvo nokuti ndiri muNaziri akatsaurirwa Mwari kubvira pakuberekwa kwangu. Kana ndikangoveurwa musoro chete, simba rangu rinobva raenda ndichibva ndasara ndisisina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Dheraira paakangoona kuti Samusoni azomudurira pachena zvaiva mumwoyo make chaizvo, akatumira nhume kumadzishe avaFirisitia achiti, “Chibvai mauya, nokuti rwendo runo andifushunurira pachena zviri mumwoyo make.” Madzishe evaFirisitia akabva auya kwaari, vakabata mari iya mumaoko. Dheraira akavatisa Samusoni pamakumbo. Akadaidza mumwe murume, akamugera musoro mapfundo manomwe evhudzi ndokutanga kuita zvinhu zvokumurwadzisa, simba rake richabva rapera. Akadaidzira achiti, “Samusoni, hokoyo navaFirisitia.” Samusoni akati vharavhazhu kumuka ndokuti, “Ndichazvizunza ndigopunyuka sezvandanga ndichingoita,” asingazivi kuti Tenzi akanga atomusiya. VaFirisitia vakamuti dzvi vakamusvukunura maziso ake. Vakaenda naye kuGaza, ndokumusunga nesimbi dzendarira. Ndokumuitisa basa rokugaya upfu ari mujeri. Asi vhudzi rake romusoro rakatanga kukura. Madzishe avaFirisitia akakokorodzana kuzopira Dhagoni mwari wavo chibayiro chomupiro mukuru kwazvo vachipembera nokufara nokuti vaiti, “Mwari wedu aisa mumaoko edu Samusoni muvengi wedu.” Vanhu pavakangomuona, vakarumbidza mwari wavo vachiti, “Mwari wedu aisa muvengi wedu, mumaoko edu. Mharadzi yenyika yedu, nyakuuraya vazhinji vedu.” Vakati zvino vafarisa, ndokuti, “Tidaidzirei zvedu Samusoni ativaraidze.” Nokudaro vakandotora Samusoni mujeri maakanga ari, akatamba achivavaraidza. Vakamumisa pakati pembiru dzaivamo. Samusoni ndokutaurira mukomana aimutungamirira achiti, “Ndisvitsewo pane mbiru dzakatsigira imba ino iyi, undirege ndimbozembera zvangu padziri.” Zvino mumba iyoyo makanga makaita zvokutsikana kuwanda, varume navakadzi. Madzishe ose evaFirisitia akanga arimowo. Nechomudenga memba iyoyo makanga mune zviuru zvitatu zvavanhu, varume navakadzi vakanga vachitarisa zvavo Samusoni achivavaraidza nokutamba. Ipapo Samusoni akachema kuna Tenzi achiti, “Tenzi Mwari, ndiyeukeiwo, ndateterera mundisimbisewo kwanhasi uno chete Mwari, ndapota zvangu ndibve ndangotsividza kamwechete vaFirisitia maziso angu ari maviri.” Samusoni akabata mbiru mbiri dziya dzapakati dzakanga dzakatsigira imba iyoyo, imwe akaibata noruoko rwake rorudyi imwe noruboshwe achidzisunda. Ndokubva Samusoni, ati, “Chiregai ndichifa zvangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikabva yati ririri kuwira pamusoro pamadzishe ose navanhu vose vaivamo. Nokudaro vanhu vaakauraya pakufa kwake vakanga vakawanda kwazvo kupfuura vaakambouraya achiri mupenyu. Vakoma navanun'una vake navose vemhuri yokwababa wake vakadzikako vakamutora vakauya naye vakamuviga pakati peZora neEshitaori muguva rababa wake Manoa ravaiviga vanhu vavo. Samusoni uyu akatonga vaIsiraeri kwamakumi maviri amakore. Munyika yokwaEfuraimu yamakomo makanga muine mumwe murume ainzi Mika. Akati kuna amai vake, “Chiuru chiya nezana rimwechete remari yesirivha zvamakabirwa, mukarengerera rushambwa nyakuitora wacho ndichinzwa mufungeka, ndini ndakaitora.” Amai vake ndokuti, “Mwanangu, dai Tenzi akachikukomborera zvake.” Akadzosera amai vake chiuru chiya nezana rimwechete rezvidimbu zvesirivha. Amai vake vakati, “Ini nemwoyo wangu wose ndinoturira kuna Tenzi sirivha iyi ndichireverera mwana wangu kuti kugadzirwe chifananidzo chokuveza chakaumbiridzwa nesirivha. Zvino ndochikudzosera sirivha iyoyo.” Paakadzosera amai vake mari iyi, vakatora mazana maviri ezvidimbu zvesirivha ndokupa kune mupfuri wesirivha. Iye akagadzira chifananidzo chokuveza chakaumbiridzwa nesirivha, chikaiswa mumba maMika. Mika uyu aiva nemba yebanya mokunamatira vamwari. Akagadzira hanzu yeEfodhi namwari wake anonzi terafimu, akagadza mumwe mwana wake mukomana kuti ave mupristi wake. Panguva iyoyo muIsiraeri makanga musina mambo. Yaingova njake njake, munhu wose achingoita zvake zvomusoro wake. Zvino kwaiva nomumwe murume aiva wechidiki wedzinza rokwaRevhi aimbogara muguta reBheterehemu rokwaJudha. Akatama kuBheterehemu rokwaJudha ikoko achindotsvaka pokugara. Ari munzira akasvika mumusha waMika kunyika yaEfuraimu yamakomo. Mika akamubvunza achiti, “Unobva kupiko?” Murume uyu ndokuti, “Ndiri muRevhi wokuguta reBheterehemu rokwaJudha. Ndiri kufamba zvangu ndichitsvakawo pokugara.” Mika akamuti, “Dai wachigara zvako neni ugova baba nomupristi kwandiri ini ndichikutambirisa zvidimbu zvesirivha gumi pagore, ndichikupawo sutu yokupfeka nechokudya.” Ndokubva muRevhi apinda mumba. Saka muRevhi uyu akagutsikana zvake kugara naye. Jaya iri raingoita somumwe wevana vake. Mika akagadza jaya iri muRevhi iyeyo, rakava mupristi wake, akagara mumusha maMika. Mika akachiti, “iye zvino ndava nechokwadi chokuti Tenzi achaita kuti zvinhu zvindifambire zvakanaka nokuti ndava nomupristi wangu wechiRevhi.” Panguva iyoyo muIsiraeri makanga musina mambo. Panguva iyoyowo vedzinza rokwaDhani vakanga vachitsvaka nyika yokugara yokuti ive yavo yenhaka. Vaidaro nokuti kusvikira nguva iyoyo vakanga vasati vawana nyika yavo yenhaka pakati pamamwe madzinza evaIsiraeri. VokwaDhani vakasarudza varume vashanu nyanzvi chaidzo dzokurwa mumhuri dzavo dzose, vakavatuma kundosora nokumema nyika iyoyo vachibva kuZora nokuEshitaori. Vakavati, “Endai mundomema nyika iyoyo.” Vakaenda kunyika yokwaEfuraimu yamakomo, vakasvikira mumusha waMika vakararamo. Vakatsaukira nomumusha maMika nokuti pavakanga vava pedyo nawo vakanzwa mutauriro wejaya rechiRevhi riya vakauziva vakati kwaari, “Ndiani akakuunza kuno? Chii chauri kuita kuno? Basa rako chairo kuno nderei?” MuRevhi uyu akavapindura achivarondedzera kuti, “Zvandakaitirwa naMika ndezvizvi nezvizvi nezvizvi, akandikumbira kuti ndimushandire somupristi wake.” Ivo vakati kwaari, “Tibvunzireiwo kuna Mwari tizive kuti zvatiri kufambira zvichabudirira here?” Mupristi ndokuvati, “Fambai zvenyu zvakanaka, ziso raTenzi riri pamuri nzira yose.” Varume vashanu ava vakasimudzira rwendo rwavo, vakasvika kuRaishi. Vakaona vanhu veko vari mumutambaratede zvavo, savanhu vokuSidhoni, vari murunyararo zvavo vasina chavanombofungira, vasina nechinhu chapanyika pano chavanoshaya, vaino upfumi vachigara kure nevaSidhoni uye vasina wavaidyidzana navo. Kuzoti vadzokera kuhama dzavo kuZora nokuEshitaori, hama dzavo dzakavati, “Tinyepei tinzwe zvamakandoona.” Ivo vakati, “Ngatichitosimukai tiende kundorwisa vanhu ava nokuti nyika iyoyo takaimema tikaona iri nyika yakanaka kwazvo. Chinono chinengwe bere rakadya richifamba. Regai zvenyu kumboita zvokuverengera kuenda kundopinda munyika iyoyo muitore ive yenyu. Kana nemiwo mukaendako muchatoonawo kuti vanhu vasina chavanombofungira zvavo. Nyika iyoyo ziendanakuenda mativi ose. Tenzi aisa mumaoko enyu nyika isina chainoshaya chinowanikwa pasi pano.” Ipapo mazana matanhatu avarume vakapakata zvombo zvehondo vakasimuka vachibva kuZora nokuEshitaori. Vakakwira vakandodzika matendhe avo munyika yokwaJudha kuKiriatijearimu. Ndokusaka pakazonzi Matendheokwadhani kusvikira pari nhasi. Zvino nzvimbo iyoyo iri kumadokero kweKiriatijearimu. Vakabva ipapo vakasimudzira rwendo rwavo voenda kunyika yokwaEfuraimu yamakomo vakandosvika kumusha waMika. Varume vashanu vaya vakamboenda kundosora nyika yeRaishi vakati kune vamwe vavo, “Munomboziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi navamwari vanonzi materafimu nechifananidzo chokunamata chokuveza nechimwe chakaumbwa nesimbi? Saka mongozivawoka zvokuita.” Vakatsaukiramo vakapinda mumba mejaya riya rechiRevhi mumusha waMika vakakwazisana. Izvozvo mazana matanhatu avarume vokwaDhani vakanga vakapakata zvombo zvavo zvehondo vamire kusuo guru remo. Varume vashanu vaya vakambondosora nyika iyoyo vakandopinda vakatora chifananidzo chiya chokuveza neefodhi navamwari vaya, materafimu nechifananidzo chakaumbwa nesimbi. Izvozvo mupristi akanga amire kusuo guru, namazana matanhatu akanga akamirawoko akapakata zvombo zvawo zvehondo. Pavakapinda mumusha waMika vakatora chifananidzo chokuveza neefodhi namaterafimu vamwari vaya nechifananidzo chokunamata chakaumbwa nesimbi, mupristi akati kwavari, “Chii ichochi chamava kuita?” Vakamuti, “Nyarara, usawane chaunomboti bufu, uya tiende tose uve baba nomupristi kwatiri. Chingava nani kwauri ndechipi pane izvi zvokuti, uve mupristi wemhuri yomunhu mumwechete, kana kuti uve mupristi wemhuri dzerimwe dzinza revaIsiraeri?” Mupristi akanzwa mwoyo wake kufara, akatora efodhi namaterafimu vamwari vaya nechifananidzo chiya chokuveza ndokuenda ari mukati mavo. Vakadzokera munzira vakasimudzira rwendo rwavo ndokutungamidza vana nezvipfuwo nemidziyo yavo. Kuzoti vafamba chinhambwe chaicho, vabva pamusha waMika, vavakidzani vaMika vakaunganidzwa vakatevera vokwaDhani, vakavabata. Vakadaidzira kune vokwaDhani, vokwaDhani vakacheuka, vakati kuna Mika, “Chii chaicho chakusvota iwe, kutoita zvokutikokerana kudai?” Iye akapindura achiti, “Aika, manditorera vamwari vangu vandakagadzira, mukanditorera mupristi mukaenda. Zvino chandasara nacho chii pamungatobvunza zvenyu kuti, ‘Chii chakusvota?’ ” VokwaDhani vakati kwaari, “Usatinyaudze, mhoti ungatovingwa izvozvi navane hasha dzisinganonoki vakakupfuudza, ukafa, iwe navanhu vapamana pako ivavo.” VokwaDhani ndokubva vati zvakare munzira pindei voenda zvavo. Mika paakaona kuti vane simba kupinda iye, akadzokera zvake kumusha kwake. VokwaDhani vakaenda vaine zvifananidzo zviya zvakaumbwa naMika pamwechete nomupristi wake uya. Vakasvika kuRaishi, kuvanhu vane runyararo, vasina zvavo chavanofungidzira, vakavarakatisa namapakatwa vakapisa guta iroro nomoto. Hakuna kuwanikwa wokuvanunura nokuti kwaiva kure kwazvo neSidhoni, vakanga vasina wavaidyidzana navo. Guta irori raiva kubani reBhetirehobhu. Vakarivaka patsva, vakagaramo. Vakatumidza guta iri zita rokuti Dhani, zita ratateguru wavo Dhani akaberekwa navaIsiraeri. Asi pakutanga, raimbonzi Raishi. VokwaDhani ava vakazvimisira chifananidzo chokuveza chiya. Zvino Jonatani mwanakomana waGerishomu mwanakomana waMosesi navana vake vakomana, vaiva vapristi vedzinza rokwaDhani kusvikira zuva rakatapwa vanhu munyika iyoyi. Saka vakamisa chifananidzo chiya chokuveza chakagadzirwa naMika chikavapo nguva yose yakanga imba yaMwari iri kuShiro. Mazuva iwayo pakanga muIsiraeri musina mambo, mumwe muRevhi aigara kumuchetocheto kwenyika yamakomo yokwaEfuraimu, akaparika mumwe mukadzi wokuBheterehemu rokwaJudha. Murongo uyu akashatirirwa murume wake akapomoka pamurume akaenda kumusha kwababa wake kuBheterehemu rokwaJudha, akagarako mwedzi mina. Murume wake akasimuka akamutevera kundomunyengetedza kuti adzoke. Zvaakamutevera aiva nomuranda wake namadhongi maviri. Akasvika kwavatezvara vake. Vatezvara vake pavakamuona, vakamuchingura norufaro. Vatezvara vake, baba womusikana uyu vakati mukuwasha wavo ambogara zvake navo. Mukuwasha uyu ndokumbogarawo zvake mazuva naye. Saka vakambodya zvavo vachinwa vachirarapo kwamazuva. Pazuva rechina vakafumomuka, mukuwasha uyu ndokugadzirira kuenda, asi baba vomusikana uyu vakati kumukuwasha wavo, “Madii mambowana kachingwa kwokukanda mukanwa mudzore mwoyo, mugoti moenda zvenyu.” Saka varume ava vari vaviri vakagara zvavo pasi vakadya vakanwa pamwechete. Baba womusikana uyu vakati kumukuwasha wavo, “Dai wachirara zvako pano uchifara.” Ava mangwana acho, mukuwasha paakamuka oda kuenda, vatezvara vake vakamugombedzera kudzamara ararapo zvakare. Pazuva rechishanu akafumomukazve mangwanani kuti aende, ndokubva baba vomusikana uyu vati, “Dai mambowana chokudya mudzore mwoyo muchimbomirira kuti zuva rirereke. Saka vakadya zvavo vari vose.” Paakati achipinda munzira pamwechete nomukadzi wake nomuranda wake, vatezvara vake, baba vomusikana uyu vakati, “Chitarisai muone kunze kwaendaka uku. Zuva rava kutodoka iri. Chirarai zvenyu pano mupedzere usiku huno pano muchifara. Mangwana mofumomuka muchipinda zvenyu murwendo rwenyu muchienda kumusha kwenyu.” Murume uyu haana kuda kuzoita humwe usiku aripo. Akasimuka ndokupinda munzira. Akasvika pakatarisana neguta reJebhusi (ndiro Jerusaremu.) Aiva nomurongo wake namadhongi maviri akanga aine zvityaro. Pavakanga vava padyo neguta reJebhusi, zuva rakanga rava kutodoka. Muranda akati kuna tenzi wake, “Tadii kuchitsaukira zvedu muguta revaJebhusi iri tiraremo.” Tenzi wake akati kwaari, “Aiwa, hatingatsaukire muguta ravatorwa vasiri vaIsiraeri, saka ngatipfuurirei kuGibhea.” Akati kumuranda wake, “Uya tiende uku kune dzimwe nzvimbo tindorara tava kuGibhea kana kuti kuRama.” Saka vakapfuurira vakazodokerwa nezuva vava pedyo neGibhea riri munyika yokwaBenjamini. Ndimo mavakazotsaukira vorara. Akaenda akandogara panze panhandare. Hapana akanga avatorawo kundovapa pokurara kumba kwake. Ndipo pakazotiwo nepo tutururu imwe harahwa ichibva kumunda kwayo manheru. Harahwa iyoyi yaibva kunyika yamakomo yokwaEfuraimu aitova muuyi zvake kuGibhea. Asi vanhu vomo vaiva vedzinza rokwaBenjamini. Harahwa iyi yakatarisa ikaona murume uyu aiva parwendo ari panze zvapo panhandare ikati, “Uri kuenda kupi? Unobva kupiko?” Akati kwaari, “Tiri kupfuurawo zvedu tichibva kuBheterehemu rokwaJudha, tiri murwendo kuenda kumuchetocheto kwenyika yamakomo yokwaEfuraimu kwandinobva. Rwanga ruri rwendo rwokuenda kuBheterehemu rokwaJudha, zvino ndava kuenda kumba kwangu. Asi iye zvino hapana atipinzawo mumba make. Uswa nechokudya chamadhongi edu tinazvo. Tine chingwawo newaini. Isu varanda venyu zviri zvokudya tinazvo zvinokwanira ini nemwanasikana wenyu nejaya iri ratinaro. Hapana chatisina.” Harahwa iya ndokuti, “A zvakanaka wani. Iniwo ndichakupai zvose zvamungadaro musina. Chete, zvokuti murare panze pano apa panhandare aiwa.” Nokudaro akaenda navo kumba kwake, akapa madhongi zvokudya, ivo vakashamba makumbo avo vakadya vakamwa. Pavaingunofara zvavo ndokubva madzenga avanhu asvika ndokukomba imba iyi vachigogodza pamusuo ndokuti kuharahwa iya, muridzi vemba, “Buritsa pano panze murume apinda mumba mako, timuite mukadzi wedu.” Murume uyu, muridzi wemba, akabuda panze pavaiva akavati, “Aiwaka, hama dzangu regai kuita chakaipa chikadaro, zvamunongoonawo kuti muenzi auya muimba mangu. Regai kushinhwa zvakadai. Chinzwaika, pane mwana wangu achiri mhandara nomukadzi womurume iyeyo ndovondoburitsa panze iye zvino, muite zvenyu chakaipa navo chamunoda. Asi kune murume uyu regai kuita unzenza hwakadaro.” Asi varume vacho vakaramba kumunzwa. Murume uyu akati murongo wake ndu, ndiye sunde panze kwavari. Vakamubata chibharo vachiita kwaari zvavaida usiku hwose kusvikira mangwanani. Kuzoti ava mambakwedza ndopavakazomurega kuti aende zvake. Kwava kuti ngu-u kuedza mukadzi uya akasvikowira pasi pamusuo wemba iya maiva natenzi wake. Akaramba akati rapata ipapo kusvikira zuva rabuda. Tenzi wake akamuka mangwanani ndokuzarura misuo yemba iye ava kuda kupinda murwendo wanei murongo wake akati rapata pamuso wemba ipapo, maoko ake ari pachiguvare. Akati kwaari, “Simuka tiende.” Asi haana kudaira. Murume uyu akamuisa padhongi ndokusimuka oenda kumusha kwake. Murume uyu akati apinda mumba make akatora banga ndokucheka-cheka mukadzi wake iyeyu, muzvidimbu gumi nezviviri, ndokutumira kumativi ose eIsiraeri. Vose zvavo vakazviona vakati, “Zvinhu zvakadai hazvisati zvamboitika kana kumbooneka muIsiraeri kubvira zuva rakabuda vaIsiraeri munyika yeIjipiti kusvikira nhasi uno. Nyatsozvifungai, murangane zvokuita mutiudze.” VaIsiraeri vose vakabudidzana vachibva kuDhani kusvikira kuBheerishebha pamwechetewo novokuGireadhi, gungano iri rikandoungana somunhu mumwechete pana Tenzi kuMizipa. Vatungamiriri vavanhu vose vamadzinza ose avaIsiraeri vakauyawo pamwechete negungano revanhu vaMwari, vari zviuru zvina zvavarume vetsoka vanorwa nomapakatwa. (VokwaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsiraeri vakaenda kuMizipa.) VaIsiraeri vakati, “Tipire tinzwe kuti uhwu hwakaitika sei?” MuRevhi uya, murume womukadzi akaurayiwa akati, “Ini ndakasvika nokuGibhea kunyika yokwaBhenjamini kuti ini nomurongo wangu tiwane pokurara. Varume vokuGibhea vakandimukira vakandikomba mumba mandakanga ndiri usiku vachida kundiuraya. Vakabata murongo wangu chibharo, akafa. Ndakatora murongo wangu ndikamudimura-dimura, ndikatumira zvidimbu zvacho kunyika dzose dzavaIsiraeri dzenhaka yavo. Chandakadariro ndechokuti vakapara zvinonyadzisa mhosva yakaipa younzenza muIsiraeri. Hezvoka vaIsiraeri, muri mose zvenyu, zano renyu rinoti kudii, poitwa sei ipapa?” Vanhu vose vakasunga rimwe rokuti, “Pakati pedu hapana munhu achadzokera kutendhe rake, kana mumwechete zvake achadzokera kumba. Zvatichaita kuGibhea ndezvizvi, tichasarudza nechin'ange vanhu vachandorirwisa. Pazana roga roga ravanhu, mudzinza nedzinza ravaIsiraeri tichasarudza gumi ravarume, pachiuru tichisarudza zana, pagumi rezviuru tichisarudza chiuru. Ndovachaigira vanhu zvokudya. Kana ngavatsividze kuGibhea kwaBhenjamini votsividza mhosva inonyadzisa yakaparwa muIsiraeri.” Saka varume vose veIsiraeri vakaunganidzana vakaita chirwirangwe kurwisa guta irori. Madzinza avaIsiraeri akatuma nhume kudzinza rose rokwaBhenjimini kundoti, “Kushinhwai kwakaitwa pakati penyu? Zvino unzai vanamatatapure vokuGibhea ivavo vasina musoro tivauraye, tibvise uipi hwakadai uhwu muIsiraeri.” Asi vokwaBhenjamini havana kumboteerera zvavo zvakanga zvataurwa nehama dzavo vaIsiraeri. Asi kutoti vokwaBhenjamini ava vakabva mumaguta avo ose vakaunganidzana kuGibhea kuti varwe navaIsiraeri. Pamusoro pamazana manomwe avarwi vokurwa namapakatwa vakanga vaitwa zvokusarudzwa kuGibhea, vokwaBhenjamini vakaunganidzawo makumi maviri ezviuru nezviuru zvitanhatu zvavarwi vakanga vatoitwa zvokutosarudzwa mumaguta avo, nguva iyoyo. Mukati mevose ivava makanga muine mazana manomwe avarwi vaiva namaboshwe vasina mhosva vaigona kukanda dombo kuruvhudzi rumwechete vachirutema. Tisingaverenge vedzinza rokwaBhenjamini, vaIsiraeri vakaunganidza mazana mana avarume vokurwa namapakatwa vari varwi vehondo vose. VaIsiraeri vakakwira kuenda kuBhetieri kundobvunza Tenzi kuti, “Nderipi dzinza redu richatanga kundorwisa vokwaBhenjamini?” Tenzi akati, “VokwaJudha ndovachatanga kuenda.” Mangwana acho vaIsiraeri vakamuka mangwanani vakandodzika matendhe avo pedyo neGibhea. VaIsiraeri vakasimuka kurwisana nevokwaBhenjamini. VaIsiraeri vakarongana kurwisa Gibhea. VokwaBhenjamini vakavabudira muGibhea, vakarakatisa kuuraya vaIsiraeri zviuru zviviri musi iwoyo. Zvakadaro zvazvo, vaIsiraeri vakazvisimbaradza vakaronga hondo zvakare panzvimbo yakare yavakanga vakaronga zuva rokutanga. VaIsiraeri vakaenda kuna Tenzi vakachema kwaari kudzamara ava manheru. Vakabvunza Tenzi kuti, “Toendazve here kundorwa nehama dzedu dzokwaBhenjamini?” Tenzi ndokuti, “Endai mundovarwisa.” Zuva rechipiri vaIsiraeri vakasebera kuzorwisana novokwaBhenjamini. VokwaBhenjamini vakavabudira muGibhea zuva rechipiri irori, vakarakatisa varume gumi rezviuru nezviuru zvisere zvavaIsiraeri, ivava vose vakanga vari varwi vokurwa namapakatwa. Ipapo vaIsiraeri vose, hondo yavo yose zvayo, vakaenda kuBhetieri vakachema. Vakagara pana Tenzi, vakatsanya kusvikira manheru zuva iroro. Vakaita mipiro yokupisa neyokuwadzana kuna Tenzi. VaIsiraeri vakabvunza Tenzi zvokuita nokuti mazuva iwayo bhokisi raMwari rechitenderano ndoparaiva. Finehasi mwanakomana waEreazari mwana waAroni ndiye aiita basa roupristi ipapo. VaIsiraeri vakabvunza kuti, “Ko tingaendezve here kundorwisana nehama dzedu dzokwaBhenjamini, kana kuti kwete?” Tenzi ndokuti, “Endai nokuti mangwana ndinovaisa mumaoko enyu.” VaIsiraeri vakaronga vamwe vanhu kuti vahwandire vakakomberedza Gibhea. VaIsiraeri vakaenda kundorwisa vokwaBhenjamini nezuva retatu. Sezvavakamboita pakutanga, vakaronganazve kurwisa Gibhea. VokwaBhenjamini vakavavinga, ivo ndokuvakwezvera kure neguta. Sezvavaimboita pakutanga, vakatanga kurova vachiuraya vaIsiraeri mumigwagwa inoti wokuenda kuBhetieri nowokuenda kuGibhea nomusango nomusango, kukafa vaIsiraeri makumi matatu. VokwaBhenjamini vakafunga kuti, “Vari kutiza sapakutanga.” Asi vaIsiraeri vaiti, “Regai titize timbovakwezvera kumigwagwa mikuru vabve muguta.” VaIsiraeri vose vakanyanduka vachibva pavakanga vari, vakarongana zvokuti vachirwa kuBhaaritamari. VaIsiraeri vakanga vakahwandira vakadzumbunukawo kumadokero kweGebha vomhanya. Varume vanosvika gumi rezviuru vakanga vaitwa zvokusarudzwa muIsiraeri vakanangana neGibhea kurirwisa. Kwakarwisanwa zvinotyisa, izvozvo vokwaBhenjamini vakanga vasingatomboziva zvavo kuti kwatova kuparara kwavo. Tenzi akaita kuti vokwaBhenjamini vakurirwe navaIsiraeri. Zuva iroro vaIsiraeri vakauraya varume makumi maviri ezviuru nezviuru zvishanu nezana rimwechete ravanhu vokwaBhenjamini ivavo vose vari varwi vokurwa namapakatwa. VokwaBhenjamini vakazviona kuti vatokurirwa. VaIsiraeri vakapa vokwaBhenjamini mukana vachivimba navaya vavakanga vati vahwandire Gibhea. Vaya vakanga vakahwandira vakamhanya kundorwisa Gibhea. Vakanga vakahwandira ivava vakadzumbunuka vakauraya guta rose iroro namapakatwa. Pakanga pavimbisanwa kuti vakanga vakahwandira vaya vanofanira kuzopwititisa gore routsi muguta, varume veIsiraeri ndopavaizopinduka votanga kurwisa. Pakanga vokwaBhenjamini vatangisa zvino kuuraya varume makumi matatu veIsiraeri, votofunga kuti, “A-a zvino tazonyatsovakurira sezvatakambovaita pakutanga.” Ipapo ndopakatanga kutogoka gore routsi muguta. VokwaBhenjamini vakazoti cheu, onei guta rose rangova moto wonjenjema mudenga. Ndopakabva papinduka vaIsiraeri, zvikakangaidza vokwaBhenjamini nokuti vakanga votoona kuti kwava kupera uku. Naizvozvo vakapishinuka votiza vaIsiraeri vonanga kurenje, hondo ikagoti tsvome tsvome navo ikoko, vokomberanwa navamwe vaibva nokumaguta vachivakatakazha. VokwaBhenjamini vakakomberanwa zvokuti kuvaronda kwakanga kwava nyore nyore kudzamara kuGebha kumabvazuva. Kwakafiwa nemikweshwa chaiyo yavarume vokwaBhenjamini, gumi rezviuru nezviuru zvisere. Vakapishinuka zvakare votizira kurenje kubako rokwaRimoni, vaIsiraeri vakangouraya vokungonhonga-nhongawo vanokwana zviuru zvishanu zvavarume mumigwagwamo. Vakatsikirirana navo kuvaronda kusvikira kuGidhomu vakauraya zviuru zviviri zvavanhu. Saka vokwaBhenjamini vakafa musi iwoyo vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zvishanu zvemikweshwa yavarume vokurwa namapakatwa. Asi mazana matanhatu avarume vakatizira kurenje kubako rokwaRimoni, vakagara mubako rokwaRimoni iri mwedzi mina. VaIsiraeri vakachidzokera, vamwe vokwaBhenjamini vaiva muguta vakavauraya namapakatwa, vachiuraya vanhu nezvipfuwo nezvose zvazvo zvavaisangana nazvo. Vakapisa nomoto maguta ose avakawana acho. KuMizipa, vaIsiraeri vakanga vapika kuti, “Hapana mumwe wedu acharoodza mwana wake kune vokwaBhenjamini.” Zvino vaIsiraeri vakaenda kuBhetieri vakaswera vagere pana Mwari kusvikira manheru vachiridza mhere vachiti, “Nhai Tenzi, Mwari wavaIsiraeri zvamboitika seiko izvi muvaIsiraeri kuti rimwe dzinza ravaIsiraeri ritsakatike nhasi uno?” Mangwana acho vakafumomuka vakavaka atari vakapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana. VaIsiraeri vakati, “Ndiani pakati pamadzinza avaIsiraeri asina kuuya kuna Tenzi kumusangano?” Vakadaro nokuti vakanga vanyatsosimbisisa kupika nezvomunhu anenge asina kuuya kuna Tenzi kuMizipa vachiti, “Anofanira kutourayiwa chete.” VaIsiraeri vakanga vonzwira urombo hama dzavo dzokwaBhenjamini, voti, “Inga nhasi uno rimwe dzinza ratotsakatika muIsiraeri. Ko zvatakapika naTenzi kuti hatiroodzi vana vedu kwavari, zvino tichagoita sei kuti vaya vakasara vawane vakadzi?” Vakati, “Nderipiko dzinza ravaIsiraeri risina kuuya kuna Tenzi kuMizipa? Zvakabuda pachena kuti hakuna vokuJabheshigireadhi akanga auya kumusangano, nokuti pakaverengwa vanhu kwakabva kwaoneka kuti hakuna wokuJabheshigireadhi vose navakadzi navana. Naizvozvo gungano rakatumira zviuru gumi nezviviri nemvumba dzavo dzavarwi vachivati endai mundouraya vagari vekuJabheshigireadhi namapakatwa uye vakadzi navana. Zvamuchaita ndezvizvi, urayayi varume vose mugourayawo mukadzi wose akambozivana nomurume.” Pavagari vose vomuJabheshigireadhi vakawana kune mazana mana emhandara dzisati dzazivana nomurume vakauya nadzo kumatendhe avo kuShiro munyika yeKanani. Gungano rose rakatuma kune vokwaBhenjamini kubako rakwaRimoni shoko rokuti pachiva nokunzwanana navo. Panguva iyoyo vokwaBhenjamini vakadzoka ndokuvapa vakadzi vaye vavasina kuuraya kuJabheshigireadhi, asi havana kuvawanira vanokwanirana navo. VaIsiraeri vakanzwira vokwaBenjamini urombo nokuti pakanga pava nevende pamadzinza avaIsiraeri. Vakuru vakuru vegungano ndokuti, “Vakadzi vomudzinza rokwaBhenjamini zvavakapera kufa, zvino tichagoita sei kuti varume vasara ava vawanewo vakadzi?” Vakati, “Padzinza iri rokwaBhenjamini panofanira kuva navana vanoita kuti dzinza iri riendere mberi rigorega kutsakatika muIsiraeri. Asi isu hatingagone kuroodza vana vedu kwavari kuti vave vakadzi vavo.” VaIsiraeri vakadaro nokuti vakanga vapika kuti, “Anenge angoroodza mwana wake kune vokwaBhenjamini, ngaawirwe norushambwa.” Saka vakati, “Inga kune zuva guru wani rokupemberera Tenzi rinochengetwa gore negore kuShiro kuchamhembe kweBhetieri kumabvazuva pedyo nomugwagwa mukuru unobva kuBhetieri uchienda kuShikemu kuri kumaodzanyemba kweRebhona.” Vakaudza vokwaBhenjamini vaya kuti, “Chiendai mundohwandira muri muminda yamagirepisi, mugaririre. Kana vasikana vokuShiro ivavo vobuda kuzotamba mudariro imi ibvai mabuda muminda yamagirepisi mumwe nomumwe wenyu atore mukadzi pavasikana ivavo vokuShiro, aende kunyika yokwaBhenjamini.” Madzibaba avo kana kuti hanzvadzi dzavo dzikauya kuzomhan'ara kwatiri, isu tichati kwavari, “Tapota vedu we-e! Chingotiitiraiwo mwoyochena mutipewo zvenyu nokuti vanhu ava hatina kuvawanira vakadzi kuhondo, nemiwo hamuna kuita zvokuvapa, dai makadaro mungadai muine mhosva.” VokwaBhenjamini vakaita izvozvo, vakandozvitorera vakadzi zvakangoenzanirana nokuwanda kwavo muvasikana vaitamba vakaenda navo. Vakaenda vodzokera kunyika yenhaka yavo. Vakavakazve maguta vakagaramo. Munguva iyoyo vaIsiraeri vakapararana, munhu wese akaenda kudzinza rake kumhuri yake. Vakabva ipapo mumwe nomumwe achienda kunyika yenhaka yake. Panguva iyoyo muIsiraeri makanga musina mambo yaingova njake njake, munhu wose achingoita zvake zvomusoro wake. I: RUTE NANAOMI Mumazuva aitungamirirwa navatungamiriri vainzi vatongi kwakaitika nzara munyika yeIsiraeri. Mumwe murume wokuBheterehemu rokwaJudha, akaenda kumbondogara kunyika yeMoabhu nomukadzi wake navana vake vaviri vakomana. Murume uyu ainzi Erimereki, mukadzi wake achinzi Naomi, vana vake vachinzi Mahironi naKirioni. Vaiva vemhuri yekwaEfurati, vokuBheterehemu rokwaJudha. Vakaenda kune rimwe dunhu reMoabhu vakamboita musha ikoko. Zvino Erimereki, murume waNaomi akafa, Naomi ndokusiyiwa aine vana vake vakomana vaviri. Vanakomana ivava vakaroora vakadzi vechiMoabhu. Mumwe mukadzi wacho ainzi Oripa, mumwe achinzi Rute. Vakapedza makore anenge gumi vagereko, ndokubva Mahironi naKirioni vazofawo. Saka Naomi akarasikirwa navana vake vakomana vaviri nomurume wake. Naomi navaroora vake vakagadzirira zvokudzokera kuti vachibva zvavo munyika yeMoabhu nokuti vari munyika yeMoabhu imomo vakanzwa zvichinzi Tenzi akanga azoshanyira vanhu vake akavawanisa chokudya. Iye navaroora vake vaviri vakasimuka vakabva kwavaigara, vakapinda munzira vodzokera kunyika yokwaJudha. Asi Naomi akataurira varoora vake vaviri vaya achiti, “Zvino imi mochitodzokera zvenyu kumusha kwanaamai venyu. Tenzi ngaakuratidzei kutendeseka mwoyochena wake sezvamakaitira vakatisiya nezvamakaitawo kwandiri. Tenzi ngaakubatsirei kuti muroorwezve mugogara zvenyu zvakanaka mudzimba dzavarume venyu.” Naomi akavatsvoda, ivowo vakahwihwidza kuchema vakati, “Aiwa, chiripo ndechokuti tinofanira kudzokerawo nemi kuvanhu vokwenyu.” Asi Naomi akati, “Dzokerai zvenyu vanangu, chii chamuchaenderawo neni? Munoti ndichine vana vakomana vandingabereke vokuzokuroorai here? Dzokerai vanangu muende zvenyu nokuti ikoku uku kutochembera kwandaita, hazvichaiti kuti ndiroorwe zvakare. Kunyange dai ndanga ndichine chitarisiro chembereko uye kunyange ndikava nomurume usiku hwanhasi ndikabereka vana vakomana, ndopamungazovamirira here kusvikira vakura? Ndozvamungazvimisire kuroorwa navamwe here? Kweteka vanangu, nhamo yenyu inondirwadza mumwoyo chaizvo nokuti zvenhamo yangu iyi ndiTenzi akazvida.” Vakahwihwidza kuchema zvakare ndokubva Oripa atsvoda vamwene vake achionekedzana navo, asi Rute akaramba angoti dzvemere navo. Naomi akati, “Tarira uone mukadzin'ina wako adzokera kune vokwake nokune vamwari vake. Iwe dzokerawo sezvaita mukadzin'ina wako.” Asi Rute akapindura achiti, “Regai zvenyu kunditeterera kuti ini ndikusiyei kana kuti ndidzokere. Kwamuchaenda ndokwandichaendawo, kwamuchange mugere ndokwandichagarawo, vanhu vokwenyu vachavawo vokwangu, Mwari wenyu ndiye achavawo Mwari wangu. Kwamunofira ndokwandichafirawo, ikoko ndokwandichavigwawo. Kunyange rufu chairwo harufanire kutiparadzanisa; kana ndadaro Tenzi ngaandione, ngaandirege ndichiwirwa, nezvakatoomesesa.” Naomi paakaona kuti Rute atsungirira kuenda naye akabva anyarara zvake. Saka vose vari vaviri vakaramba vachienda kudzamara vasvika kuBheterehemu. Pavakasvika kuBheterehemu, guta rose rakazevezana nezvavo. Vakadzi vaiti, “NdiNaomi here uyu chokwadi?” Ivo vakati kwavari, “Regai zvenyu kunditi Naomi, isvai zvenyu manditi Mara nokuti Samasimbaose akaita kuti upenyu hundiipire. “Ndakaenda ndakapfumawo Asi Tenzi andidzora ndachiti dano, ndisisina kana chinhu muchanza. Chamunonditi Naomi, ndechipi ipapa, kana Tenzi achindipa nhamo kudai, kana iye Samasimbaose achitondirwadzisa kudai?” Ndiwo madzokero akaita Naomi kubva kuMoabhu aina Rute muroora wake wechiMoabhu. Vakasvika kuBheterehemu iri nguva yokutanga kukohwa bhari. Naomi uyu aiva nehama yomurume wake Erimereki yomumba, yainzi Bhoazi yaiva shoroma chaiyo yomurume. Zvino Rute muMoabhu uyu akati kuna Naomi, “Regai ndiende zvangu kundofuhwa mbesanwa mumunda womunhu anenge andinzwirawo tsitsi.” Naomi akati, “Enda zvako mwanangu.” Akasimuka akabva aenda kune mumwe munda akandofuhwa achitevera vakohwi. Zvakangoitikawo kuti munda iwoyo wakanga uri waBhoazi aiva wemhuri imwechete naErimereki. Ndiyo nguva yakabva yasvikawo Bhoazi achibva kuBheterehemu. Akakwazisa vakohwi ivava achiti, “Tenzi ngaave nemi!” Ivo vakatiwo, “Tenzi ngaakukomborereiwo!” Bhoazi akabvunza mushandi wake aitungamirira vakohwi kuti, “Ko mukadzi uyu ndowokwaani?” Mushandi wake wokutungamirira vakohwi ndokuti, “Mukadzi wechiMoabhu akauya naNaomi paakadzoka achibva kuMoabhu, akati, ‘Mungandibvumirewo here kufuhwa zvangu ndichitevera panenge pabva vakohwi, napane zvisote.’ Saka auya akashanda kubvira mangwanani-ngwanani kusvikira iye zvino, angozorora kwekanguva kaduku mudumba umo.” Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa mwanangu, chirega zvako kuzvinetsa nokusweroenda kundofuhwa kune mimwe minda, asi ramba wakati kwati navasikana ava. Ziso rako ngarirege kubva pamunda wavanenge vachikohwa urambe uchingovatevera. Ndaudza vakomana ava kuti varege kuwana chakaipa chavanoita kwauri. Kana wava nenyota woendawo kumidziyo uko wondonwa mvura inenge yatekwa navashandi ava.” Rute akapfugama ndokutyora uso akati, “Zvandibvira nepiko kuti mundiitirewo mwoyochena wakadai wokundicheukawo kudai ini zvangu mutorwa?” Bhoazi akamupindura achiti, “Zvose zvawakaitira vamwene vako kubvira panguva yakafa murume wako ndakanyatsozvirondedzerwa. Ndakaudzwawo nezvokusiya kwawakaita baba wako naamai vako, nokusiyawo kwawakaita nyika yokwako ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare. Tenzi ngaakupe mubayiro wezvawakaita, upiwe mubayiro wakakwana chaiwo naTenzi, Mwari wavaIsiraeri mumapapiro ake mawakauya kuzopotera.” Iye ndokuti, “Maita mwoyo wakanaka chaizvo kwandiri changamire nokuti mandigadzanisa mwoyo, uye mataura neni zvakanaka kwazvo kunyange zvazvo ndisiri mumwe wavasikana ava, vanokushandirai.” Panguva yokudya, Bhoazi akati kuna Rute, “Chimbouya kuno udye chingwa uchichiseva muwaini.” Rute akauya akagara pedyo navakohwi. Bhoazi akamupa mbesanwa dzakakangwa, akadya akaguta zvokutosiyawo zvimwe. Rute paakadzokera kundofuhwa, Bhoazi akataurira vakomana vake achiti, “Regai zvenyu mukadzi uyu afuhwe kunyange pazvisote murege kuita chakaipa kwaari chingamufumure. Asi musvomhorerei dzimwe hura pazvisote izvozvo, muchimusiyira kuti afuhwe asi musamutsiure.” Saka akafuhwa kusvikira manheru ndokubva apura bhari yaakanga afuhwa akawana bhari inorema makirogiramu ainge oda kusvika gumi. Akaitakura akaenda nayo kuguta akandoratidza vamwene vake zvaakanga afuhwa. Akavaigirawo zvokudya zviya zvakasara paakadya akaguta. Vamwene vake vakati kwaari, “Wafuhwa kupiko nhasi? Waita basa kupi? Ndiani zvake akucheukawo iyeyo?” Akataurira vamwene vake kuti ndokwavani kwaakanga ashanda. Akati, “Zita romurume wokwandashanda nhasi ndiBhoazi.” Naomi akati kumuroora wake, “Tenzi ane mwoyochena usingaperi kuvapenyu kana vakafa, ngaakomborere murume iyeyo!” Naomi akatiwo, “Mufungeka murume iyeyo ihama yedu chaiyo yepedyo, mugariwo wedzinhaka dzomumusha medu.” Rute muMoabhu uyu akati, “Murume iyeyo anditiwo, ‘Ramba wakati kwati navashandi vangu kusvikira vapedza kukohwa mbesanwa dzangu dzose.’ ” Naomi akataurira muroora wake Rute achiti, “Zviri nani mwanangu kuti ushande navasikana vanomushandira ivavo nokuti ukaenda kumunda mumwewo, kungadaro kukawana chakaipa chingaitwe kwauri.” Naizvozvo Rute akaramba achifuhwa akati kwati navasikana vaimushandira vacho kudzamara vapedza kukohwa bhari nekoroni, iye achigara zvake navamwene vake. Naomi akataurira muroora wake achiti, “Mwanangu ndafunga zvokukutsvakira kuti uitewo imba yako uwanewo pokunyatsogara. Handiti Bhoazi uyu ane varandasikana vawaiva navo; ihama yedu chaiyo. Chiteerera unzwe, usiku hwanhasi achange achiurutsa bhari paburiro riya. Naizvozvo zvishambidze, uzore mafuta, uende kuburiro wakapurira hanzu dzako dzakanakisisa. Asi chenjerera kuti iye arege kuziva kuti uripo kusvikira apedza kudya nokunwa. Kana Bhoazi ondorara, nyatsocherechedza paanenge arara, ugozoendapo womufukura kumakumbo ake, uvatepo iye achakuudza zvokuita.” Rute akapindura achiti, “Ndichaita zvose zvamandiudza.” Saizvozvo Rute akaenda kuburiro kuya akaita zvose zvaakaudzwa navamwene vake. Kuzoti Bhoazi apedza kudya nokunwa akati zvino ofara, akaenda zvake kundorara munyasi memurwi wembesanwa. Rute akauyapo chinyararire, akamufukura kumakumbo ake akavatapo. Pakati pousiku, Bhoazi akapatika, ndokubva atendeuka onei kune mukadzi arere kumakumbo kwake! Akati, “Ndiwe ani?” Iye akati, “Ndini Rute muranda wenyu. Regai zvenyu gumbeze renyu rindifukidzewo nokuti ndimi munofanira kundigara nhaka.” Iye akabva amuti, “Tenzi ngaakukomborere mwanangu, waratidza kutendeseka, nomwoyochena wawazoita rwendo runo unotopfuura wawakaita pakutanga nokuti hauna kuchiva kuroorwa neachiri mukomana, mupfumi kana murombo. Zvino mwanangu, usatye zvako ndichakuitira zvose zvawakumbira nokuti vamwe vangu vose vomuguta rino vanozviziva kuti iwe uri mudzimai ane chiremera. Zvino ichokwadi kuti ndiri hama chaiyo yomumba, asi kune mumwe anotova wepedyo kupinda ini. Chipedza zvako usiku hwanhasi uri pano. Kana akakugarira nhaka, zvakanaka rega aite saizvozvo, asi kana akaramba kugara nhaka, ndinopika naTenzi mupenyu kuti ini ndinokugara nhaka yacho. Chirara zvako kusvikira mangwana.” Saka iye akarara zvake kumakumbo kwake kusvikira mangwanani. Asi akamuka nguva yokuti hawainyatsoziva kuti munhu wauri kuona ndiani nokuti Bhoazi akanga asingade kuti zvizikanwe kuti pane mukadzi akasvika paburiro usiku. Akamuti, “Uya nechari yawakafuka uitambanudze.” Rute akabva aitambanudza, Bhoazi akadira mairi bhari inorema makirogiramu anenge makumi maviri. Akamutsiga, akaenda zvake muguta. Paakasvika kuna vamwene vake, vakamubvunza kuti, “Zvafamba sei mwanangu?” Iye ndokuvataurirawo zvose zvaakanga aitirwa nomurume iyeyo achiti, “Andipa bhari inotokwana makirogiramu anenge makumi maviri achiti, ‘Haungadzokere kuna vamwene vako usina chawakabata mumaoko.’ ” Ivo vakati, “Chimira zvako mwanangu kusvikira waona kuti nyaya iyoyi ichasvika papi nokuti murume iyeyu haasiri kuzogara pasi asi achatoigadzirisa chete iye nhasi uno.” Bhoazi akaenda kusuo guru reguta akasvikogara zvake pasi. Sezvineiwo hama yepedyo muridzi wenhaka uya akambotaurwa naBhoazi ndiye vhu achipfuura zvake nepo. Bhoazi akamuti, “Chimbotsaukira nepano apa, umbogara apa.” Murume uyu akatsaukirapo ndokugara pasi. Bhoazi akatora vakuru vakuru gumi vomuguta iri akavati, “Ngatimbogarai dare pano apa.” Vakagara pasi zvavo. Bhoazi akasuma nyaya kune hama yake iya, muridzi wenhaka achiti, “Naomi uya akadzoka achibva kuMoabhu ari kutengesa munda waiva waErimereki. Zvino ndati ndikurume nzeve nezvawo, saka ndinoti dai wautenga dare richizviona, vakuru vakuru vedu varipo. Kana uchida kuununura, ununure zvako, asi kana usingadi nditaurirewo ndizive nokuti hakuna mumwe ane mvumo yokuununura kusiya iwe neni. Iwe ndiwe wokutanga, ini ndiri wechipiri.” Iye uya ndokuti, “Ndinoda kuununura.” Bhoazi ndokuti, “Musi waunotenga munda iwoyo kuna Naomi ndiwe unenge wotogara nhaka Rute muMoabhu chirikadzi yomufi kuti umutsiridze zita romufi panhaka yake.” Hama yake iya muridzi wenhaka ndokuti, “Kana zvakadaro handichakwanisa kuununura nokuti ndingazokanganisa nhaka yavana vangu. Ununure zvako iwe, ini handichakwanisa kuununura.” Zvino kareko muIsiraeri maiva netsika yaiitwa pakununura zvinhu napakutengeserana. Chiratidzo chavaiita chokusimbisa kuti paitwa chibvumirano ndechichi chokuti nyakutengesa aibvisa shangu yake oipa kuna nyakutenga. Ndiko kusimbisa kwaiitwa chibvumirano muIsiraeri. Saka hama iya muridzi wenhaka paakati kuna Bhoazi, “Utenge zvako iwe.” Akabva abvisa shangu yake. Bhoazi ndokuti kuna vakuru vakuru vaya navanhu vose, “Nhasi uno ndimi mava zvapupu zvangu zvokutenga kwandaita munda kuna Naomi nezvose zvaiva zvaErimereki pamwechete nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMahironi. Kunyangewo chirikadzi iya yakasiyiwa naMahironi, Rute muMoabhu, ndini ndatovawo wokugara nhaka nokudaro zita romufi richaramba richidaidzwa panhaka yaakasiya kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana muguta rake. Ndimi zvapupu zvacho iye nhasi uno.” Vanhu vose navakuru vakuru vaiva padare kusuo reguta vakati, “Hongu, tiri zvapupu zvacho. Dai Tenzi akaita kuti mukadzi iyeyu ari kuuya mumba mako, aite saRakeri naRea, vose vari vaviri vakabereka mhuri yaIsiraeri. Dai ukava zvako mupfumi akabudirira muEfurati, zita rako rive nomukurumbira muBheterehemu. Dai vana vomukadzi uyu achiri muduku kudai vamuchapiwa naTenzi vangoita waro sezvakangoita mhuri yaPerezi akaberekwa naTamari mumba maJudha.” Bhoazi akatora Rute akagara nhaka yacho. Akapinda mumba naye, Tenzi akamubatsira akava napamuviri akabereka mwana mukomana. Vakadzi vakati kuna Naomi, “Tenzi ngaarumbidzwe, iye asina nhasi uno kukunyima hama chaiyo, mugari wenhaka. Zita rake ngarive nomukurumbira muIsiraeri! Ndiye achamutsiridza upenyu hwenyu, achakuchengetaiwo kana makwegura nokuti muroora wenyu anokudai, ari nani kwamuri pane vanakomana vanomwe, akuberekerai mwana mukomana.” Naomi akagumbatira mwana uyu pachipfuva chake ndokubva ava mureri wake. Vakadzi vavakanga vakavakidzana navo vakamutumidza zita. Vaiti, “Naomi aberekerwa mwana mukomana.” Vakamutumidza zita rokuti Obhedhi. Ndiye akazova baba waJese, Jese akazovawo baba waDhavhidhi. Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaPerezi; Perezi akabereka Hezironi, Hezironi akabereka Ramu. Ramu akabereka Aminadhabhu, Aminadhabhu akabereka Nahishoni. Nahishoni akabereka Sarimoni, Sarimoni akabereka Bhoazi. Bhoazi akabereka Obhedhi, Obhedhi akabereka Jese, Jese akabereka Dhavhidhi. Muguta reRamataimuzofimu, munyika yamakomo yokwaEfuremu maiva nomumwe murume ainzi Erikana mwana waJeroharamu. Jeroharamu akaberekwa naErihu, Erihu akaberekwawo naTohu mwanakomana waZufu wedzinza rokwaEfuremu. Erikana aiva navakadzi vaviri, wokutanga ainzi Hana wechipiri achinzi Penina. Penina aiva navana asi Hana akanga asina vana. Murume iyeyu aipota achienda kuShiro kundonamata nokundopira zvibayiro kuna Tenzi Samasimbaose gore negore achibva kuguta rokwake. Vanakomana vaEri vana Hofuni naFinehasi ndovaiva vapristi vaTenzi ikoko. Zuva raipira Erikana chibayiro aipa migove kune mukadzi wake Penina navana vake vose vakomana navasikana. Kunyange zvazvo Erikana aida Hana aizongomupawo mugove mumwechete bedzi nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. Uyewo mukadzin'ina wake aimudadira kwazvo kumusvotesa nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. Zvaingoramba zvichingodaro nguva nenguva gore negore paingoenda chete Hana kumba yaTenzi aingodadirwa naPenina. Naizvozvo Hana akazochema akaramwa zvokudya. Murume wake Erikana akamuti, “Nhai Hana, unochemeiko? Uri kurambirei chokudya? Washaiswa neiko rufaro mumwoyo? Kwauri handiti ndinotokunda gumi ravana vakomana?” Kuzoti apedza kudya nokunwa ari kuShiro ikoko, Hana akasimuka zvake, izvozvo mupristi Eri akanga agere pachigaro pedyo nebango rapamusuo weTemberi yaTenzi. Hana akanga achitoshungurudzwa kwazvo mumwoyo achinamata kuna Tenzi achichema zvinosiririsa. Akapika mhiko achiti, “Tenzi Samasimbaose! Kana imi mukanyatsoongorora zvenyu kutambura kwandiri kuita ini muranda wenyu, uye mukandiyeuka mukarega kundikanganwa, mukandipawo zvenyu mwana mukomana, ndinomupa kwamuri imi Tenzi upenyu hwake hwose, haazombofa akaveurwa musoro.” Paainamata kuna Tenzi kwenguva ndefu kudaro Eri akaongorora muromo wake. Hana akanga achinamata nechomumwoyo, miromo yake ndiyo chete yaaimengenyedza, izwi rake risinganzwiki, nezvo Eri akabva afunga kuti Hana araradza. Eri ndokumuti, “Unosvikira rini wakararadza kudai? Siyana newaini yako iyi.” Asi Hana akapindura achiti, “Aiwa changamire. Ini ndiri mudzimai ari kushungurudzika kwazvo mumwoyo. Handina kana kunwa waini kunyange doro zvaro. Chiripo ndechokuti ndanga ndichidurura nhuna dzomwoyo wangu kuna Tenzi. Musafungire kuti muranda wenyu ndiri mukadzi asina maturo nokuti ndanga ndichigurukuta zvinondinetsa nokusvoteswa kwandinoitwa.” Eri akamupindura achiti, “Enda zvako norugare. Mwari wavaIsiraeri ngaakupe zvawamukumbira.” Hana akati, “Dai imi mukaramba muchindiyeukawo ini muranda wenyu.” Mudzimai uyu akaenda zvake akandodya, uso hwake hwakanga hwatosununguka? Akafumomuka mangwanani akanamata ari pana Tenzi, ndokuzodzokera zvake kumusha kwake kuRama. Erikana akazogara nomudzimai wake Hana, Tenzi ndokubva ayeuka Hana. Nokufamba kwenguva Hana vakabata pamuviri akasununguka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Samueri nokuti akati, “Ndakamukumbira kuna Tenzi.” Murume uyu Erikana pamwechete nemhuri yake yose akakwira kundopira kuna Tenzi mupiro wechibayiro wegore negore nowokuripa zvaakatsidza. Asi Hana haana kukwirawo ikoko nokuti akanga ati kumurume wake, “Mwana uyu akange angorumurwa ndichaenda nayeko kuti anovawo pana Tenzi, agareko narini wose.” Murume wake, Erikana ndokumuti, “Ita zvako zvaunoonawo kuti zvakanaka umirire kudzamara arumurwa. Chete dai Tenzi akakubatsira kuti uzadzise mhiko yako.” Saka mudzimai uyu akasara achirera mwana wake kusvikira amurumura. Kuzoti arumura mwana wake akaenda naye pamwechete nechihandira chine makore matatu, noupfu hwekoroni hunorema makirogiramu gumi, nechigubhu chewaini chedehwe ndokuenda naye kumba yaTenzi kuShiro achiri ndumurwa kudaro. Vakati vauraya handira, vakaenda nomwana kuna Eri. Hana uyu ndokuti, “Changamire ndinopika zvechokwadi kuti ndini mudzimai uya changamire akambomira pano pamaiva achinamata kuna Tenzi. Ndaikumbira mwana uyu. Tenzi akanzwa chichemo chandakasvitsa kwaari. Naizvozvo mwana uyu ndamupa kuna Tenzi. Upenyu hwake hwose zvahwo ava munhu apiwa kuna Tenzi.” Vakanamata Tenzi ikoko. Hana akadetemba kunamata achiti: “Mwoyo wangu unofara naTenzi naiye Tenzi ndasimbaradzwa nomuromo wangu ndavakutotafurirawo vavengi vangu nokuti ndinofara nokununura kwenyu. Hapana anoera saTenzi. Hakuna mumwe kusiya imi. Hakuna rimwe bako kunze kwaMwari wedu. Musambotaura zvenyu namazwi okuzvikudza. Mukanwa menyu ngamurege kubuda mazwi okuzvitutumadza, nokuti Tenzi ndiMwari anoziva zvose, ndiye ane basa rokuera zviito zvomunhu. Uta hwezvikakarara zvavanhu hwakatyorwa, vakarukutika ndivo zvino vagwinya kusimba. Vaiva hurudza ndivo vave kuita chokudya chokuruvira vaiva vomunzara, nzara yapera. Mukadzi asina mbereko ndiye obereka vana gumi nefararira. Asi mai vokubereka rudende rwavana, vava karikoga. Tenzi anouraya uye ndiye anopa upenyu. Ndiye anoendesa vanhu kunzvimbo yavashakabvu, kana kumutsa munhu. Tenzi ndiye anopa munhu urombo kana upfumi. Ndiye anodukupisa munhu kana kumukudziridza. Anosimudzira varombo kubva pamhukutu pavagere, navasina zvavanazvo kubva pazaradota, achindovagarisa navana vokumba huru, vachitowana zvavo nhaka yezvigaro zvapamusorosoro. Mbiru dzenyika ndedzaTenzi padziri ndipo paakamisa nyika. Ndiye anochengeta vatsvene vake, asi vakaipa vachitsakatiswa murima nokuti simba romunhu harisiro rinoita kuti abudirire. Vanopikisana naTenzi vachapwanywa-pwanywa, Wokumusorosoro paanotinhira kumatenga. Tenzi ndiye mutongi wapasi pose, anopa simba mambo wake, anosimbaradza munhu wake waakazodza.” Erikana akadzokera zvake kumusha kwake kuRama. Asi mukomana uya akasara ari mumaoko omupristi Eri achishandira Tenzi. Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vasina maturo vaiva vasingaremekedzi Tenzi. Zvaiitwa navapristi kuvanhu ndezvizvi zvokuti: painge munhu auya kuzopira chibayiro, mushandi womupristi aiuya neforogo ine mhandi nhatu iyo nyama ichiri kubikwa, obaya nayo mupani kana muketero kana mubhodho kana mupoto. Nyama yose yaibuda yakabayiwa neforogo yaitorwa nomupristi yova yake. Ndizvo zvavaiita kuvaIsiraeri vose vaiuya kuShiro. Zvakazenge zvava kuitikawo ndezvizvi zvokuti: mushandi womupristi aiuya kumunhu ainge achipira chibayiro iwo mafuta asati ambopiswa woti, “Ndipei nyama yokugochera mupristi nokuti mupristi haadi kuti mumupe nyama yakabikwa, asi mbishi chete.” Kwaiti kana munhu iyeyo akati, “Iye zvino izvi, chimbomiraka vatange vanyatsopisa mafuta atsve apere ugoti wotora zvako paunodira.” Mushandi uya aiti, “Aiwa. Chitondipa iye zvino uno. Kana ukaramba, ndava kuita zvechisimba.” Saizvozvo chitadzo chavanakomana vaEri chakanga chakaipa kwazvo chisingambofadzi Tenzi nokuti varume ivava vakanga vasingaremekedzi mupiro waTenzi. Izvozvo Samueri aishandira Tenzi achiri chikomana achipfeka hanzu yeefodhi yerineni. Gore negore amai vake vaimusonera kagemenzi vachimuigira pavaienda nomurume wavo kundopira chibayiro chepagore. Ipapo Eri aikomborera Erikana nomudzimai wake achiti, “Tenzi ngaakupei vana nomudzimai uyu kutsiva iyeyu waakambokumbira sechikwereti kuna Tenzi.” Vakuzobva vodzokera zvavo kumusha kwavo. Tenzi akazoshanyirazve Hana. Akava nembereko zvakare akabereka vana vakomana vatatu navasikana vaviri. Mukomana uyu Samueri akakura aina Tenzi. Eri akanga ava harahwa chaiyo. Akanzwa zvaiitwa navana vake kuvaIsiraeri vose zvokutorana navakadzi vaishanda kumusuwo wetendhe rokusanganira vachiita navo choupombwe. Akavatsiura achiti, “Munoitireiko zvinhu zvakadai? Ndinonzwa vanhu vose vachindiudza zvakaipa zvamunoita. Kweteka vanangu, zvandiri kunzwa izvi hazvina kunaka. Muri kuita kuti vanhu vaMwari vakanganise. Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari anomumiririra. Zvino kana munhu akatadzira Tenzi ndiani anomureverera?” Havana zvavo kana kumboteerera baba wavo nokuti Tenzi akanga achida zvake zvokuvaparadza. Izvozvo mukomana uyu Samueri akaramba achikura mhumhu, uye kudiwa kwake naTenzi navanhu kwakaramba kuchikura. Munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naTenzi, ‘Ndakazviratidza pachena kuna tateguru wemba yako pavaiva kuIjipiti mumaoko aFarao, ndikatomusarudza ini pakati pamadzinza ose avaIsiraeri kuti ave mupristi wangu wokundishandira paatari kuti apise rusenzi akapfeka efodhi pandiri. Ndakapa vemba yababa wako zvemipiro yose yavaIsiraeri inoita zvokupiswa nomoto. Zvino sei mava kuita mwoyo wokudokwairira zvibayiro nemipiro yandakatema kuti iitwe? Heya, wava kutoremekedza zvako vana vako kupinda ini nhai, muchizvikodza zvenyu nenyama dzakanakisisa dzepamipiro yose yavanhu vangu vaIsiraeri?’ Naizvozvo Tenzi Mwari wavaIsiraeri anoti, ‘Ndakanga ndatema kuti vemba yako nevemba yababa vako vafambise basa rapandinenge ndiri narini wose.’ Asi zvino Tenzi anoti, ‘Zvino zvandibva. Vanondiremekedza ndinovaremekedzawo, vanondishonha vachavawo vanhu vasina maturo.’ Chinzwa, kuchasvika nguva yandichashomekesa simba rako nesimba revemba yababa vako kuti mumhuri yokwako murege kuzova nomunhu anorarama zvokuchembera. Uchatsvokorera neshanje zvinhu zvose zvakanaka zvandichaitira vaIsiraeri iwe uine nhamo, uye mumba mako hamuchazovi nomunhu anorarama kusvika akwegura narini wose. Asi murume wandinenge ndasiya kuti andishandire paatari achava kambudzi kasarira rushamhu zvokuti kana iwe uchatomuchemawo uchitoshayiswawo mazano nazvo. Vana vako vachauraiwa navanhu. Chichakuratidza kuti zvandiri kutaura zvichaitika ndechichi chokuti vanakomana vako Hofini naFinehasi vachafa musi mumwechete vose vari vaviri. Ini pachangu ndichazvimutsira mupristi akatendeka achaita zvinoda mwoyo wangu nezvandinofunga. Ndichatsigira imba yake, ndiye achashandira muzodzwa wangu narini narini. Ani naani zvake anenge asara wemhuri yako achazomugwadamira kumuteterera kuti apiwe chidimbu chemari yesirivha kana kuti chingwa chimwechete zvacho achiti, ‘Ndapota ndiwaniseiwo rimwe basa roupristi randingangoita kuti ndigowanawo chimwe chokuisa mukanwa.’ ” Mukomana Samueri aishandira Tenzi ari mumaoko aEri. Mazuva iwayo Tenzi akanga asisataure-taure kuvanhu. Kunyeverawo vanhu nezviratidzo kwakanga kwava kushoma chaizvo. Panguva iyoyo zvakaitika kuti mumwe musi Eri akanga arere mumba make, izvozvo meso ake akanga ava kuonera madzerere asisanyatsoona. Rambi raMwari rakanga risati radzima. Samueri akanga arerewo muTemberi yaTenzi maiva nebhokisi raMwari reChitenderano. Ipapo Tenzi ndopaakadaidza Samueri achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri akapindura achiti, “Ndiri pano.” Samueri akamhanyira kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Asi Eri akati, “Handina kukudaidza, dzokera undorara zvako.” Akabva adzokera zvake kundorara. Tenzi akadaidzazve achiti, “Samueri!” Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akandoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Asi Eri akati, “Handina kukudaidza, mwanangu, dzokera undorara zvako.” Samueri akanga asati amboziva Tenzi, nokuti Tenzi akanga asati ambotaura naye. Tenzi akadaidzazve Sumueri kechitatu. Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Eri akazoziva kuti ndiTenzi aidaidza mwana uyu. Saka Eri akati kuna Samueri, “Chidzokera zvako undorara, kana akakudaidzazve unodaira uchiti, ‘Taurai zvenyu imi Tenzi, ini muranda wenyu ndakateerera.’ ” Samueri akaenda zvake akarara panzvimbo yake. Tenzi akauya akamira ndokudaidza sezvaakamboita padzimwe nguva dziya achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri ndokuti, “Taurai zvenyu, muranda wenyu ndakateerera.” Ipapo Tenzi akataurira Samueri achiti, “Chinzwa ndava kuzoita chimwe chinhu muIsiraeri chokuti munhu wose anochinzwa anounga nzeve. Pazuva iroro ndichaitira zvose zvandakayambira veimba yake kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira. Ndinenge ndichimuudza pachena kuti ndicharanga imba yake narini, ndinenge ndichimurangira zvitadzo zvaanoziva nokuti vana vake vakaita unhubu, asi iye haana kuvadzora. Saka ini ndakapika kune veimba yaEri ndichiti, ‘Kana narini zvake chitadzo chavo hachizofi chakapfupirwa nezvibayiro kana kuripwa nomupiro.’ ” Samueri akarara zvake kusvikira kwaedza ndokuzondozarura misuo yeimba yaTenzi. Izvozvo Samueri akanga achitya kutaurira Eri zvaakanga aoneswa. Eri akadaidza Samueri achiti, “Nhai Samueri mwanangu.” Iye ndokudavira achiti, “Ndiri pano.” Eri akati, “Chii chawataurirwa naMwari? Rega zvako kundivanza. Mwari ngaawane zvaanoita newe kana ukandivanzira chimwe chinhu pane zvaakakutaurira.” Saka Samueri akavataurira zvose, hapana chaakamuvanzira. Eri akati, “NdiTenzi, anoita zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka kwaari.” Samueri akakura. Tenzi akanga ainaye zvokuti muromo wake wakanga usingawiri pasi. Isiraeri yose zvayo, kubvira kuDhani kundosvikira kuBheerishebha vakaziva zvisina ani angapokane, kuti Samueri aiva muprofita waTenzi. Tenzi akaramba achizvionesa paShiro; Tenzi aizviratidza kuna Samueri kushiro nomushoko rake. VaIsiraeri vakaenda kundorwisa vaFirisitia akanga vadzika matendhe avo kuAfeki. Ivo vakandodzika matendhe avo kuEbhenezeru. VaFirisitia vakarongana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Pavakanga vavakurwisana vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia. VaFirisitia vakauraya vaIsiraeri vaikwana zviuru zvina mukurwisana kwavakaita. Pakadzokera varwi kumatendhe, vakuru vakuru vavaIsiraeri vakati, “Ko seiko Tenzi atikundisa navaFirisitia nhasi? Ngatiendei tindotora Bhokisi raTenzi reChitenderano kubva kuShiro kuti rive pakati pedu Tenzi atinunure mumaoko avavengi vedu.” Kwakatumwa vanhu kuShiro kundotora Bhokisi reChitenderano raTenzi Samasimbaose ane chigaro chake pakati pamaKerubhu. Uyewo vanakomana vaEri, Hofini naFinehasi vaiveko vaine Bhokisi reChitenderano raMwari iroro. Pakasvika Bhokisi reChitenderano raTenzi mumatendhe, vaIsiraeri vose vakadaidzira nezwi guru zvokuti pasi pakandengendeka. VaFirisitia pavakanzwa ruzha rwokuzhamba ikoko vakati, “Ruzha rukuru mumatendhe ava Hebheru ndorwei?” Pavakanzwa kuti Bhokisi raTenzi raunzwa kumatendhe, vaFirisitia vakatya, zvokuti vakati, “Kune mumwe mwari uku auya mumatendhe.” Vakati, “Pedu papera! Hatisati tamboona zvakadai. Pedu patiperera! Ndiani angatinunura mumaoko avamwari vakasimba vakadai? Ndivo vamwari vaya vakarova vaIjipiti neshamhu yenhamo dzakasiyana-siyana murenje. VaFirisitia, tsungai mwoyo. Ivai varume, mukasadaro munoswera mava varanda vavaHebheru sezvavakanga vari kwamuri. Ivai varume, murwe.” Saka vaFirisitia vakarwisa, vaIsiraeri vakakundwa. Mumwe nomumwe wavaIsiraeri akatizira kumba kwake. Pakafiwa zvokufiwa zviya. Pakafa varwi vetsoka vavaIsiraeri zviuru makumi matatu. Bhokisi raMwari rakapambwa. Vanakomana vaEri Hofini naFinehasi vakauraiwa. Musi iwoyo mumwe murume muBhenjamini akatiza achibva kuhondo, akamhanyira kuShiro. Akanga abvarura-bvarura hanzu dzake aine ivhu mumusoro. Paakasvika Eri akanga agere pachigaro chake parutivi penzira akatarisa nzira nokuti mwoyo wake waityira Bhokisi raMwari. Murume uya paakapinda muguta, akataurira vanhu zvakanga zvaitika, guta rose ndokubva rati mhere kwetsu. Eri paakanzwa mhere iya akati, “Ko mhere iyoyi ndeyei?” Murume iyeyu akamhanyira kundoudza Eri. Eri akanga ava namakumi mapfumbamwe amakore namakore masere okuberekwa. Maziso ake akanga apera, asisaoni. Murume uya akati kuna Eri, “Ndini ndabva kuhondo uko. Ndatiza hondo nhasi uno.” Eri akabvunza achiti, “Ko zvafamba seiko ikoko mwanangu?” Nyakuuya neshoko uya akapindura achiti, “VaIsiraeri vaita rumwe rumwe kutiza vaFirisitia. Hondo yedu yakatakazhwa. Uyewo vanakomana venyu Hofini naFinehasi vafa, uyezve Bhokisi raMwari rapambwa.” Paakangodoma Bhokisi raMwari, Eri akanga agere pachigaro munyasi mesuo guru akabva ati namanhede re-ezu pasi gwajara, mutsipa ndokubva wati pipfu, ndiye sarai. Zviripo ndezvokuti vakanga akwegurawo, uye akanga akafuta. Akanga atonga vaIsiraeri kwamakumi mana amakore. Muroora wavo mudzimai waFinehasi akanga akazvitakura ava padyo nokusununguka, paakanzwa shoko rokuti Bhokisi raMwari rapambwa, uye kuti vatezvara vake nomurume wake vafa, mimba yakarwadza akati bvucha akasungukuka nokuti mimba yakarwadza. Paakanga ava kufa, vakadzi, vananyamukuta vaimubatsira pakusununguka vakamuti, “Tsunga mwoyo, wapiwa mwana mukomana.” Asi iye haana chaakapindura kana kuratidza kuita mwoyo nazvo. Akatumidza mwana iyeyo zita rokuti Ikabhodhi, achiti “Mbiri yeIsiraeri yaenda,” pamusana peBhokisi raMwari rakapambwa, uyewo napamusana pavatezvara vake nomurume wake. Akati, “Mbiri yabva muIsiraeri nokuti Bhokisi raMwari ratorwa.” VaFirisitia vakatora Bhokisi raMwari reChitenderano, paEbhenezeru vakaenda naro kuAshidhodhi. Vakatakura Bhokisi raMwari vakaenda naro kutemberi yaDhagoni, vakandorigadzika munyasi mechifananidzo chaDhagoni. Vagari veAshidhodhi vakafumomuka, wanei chifananidzo chaDhagoni chakati pasi zvambarara nouso pamberi peBhokisi raTenzi. Vakachisimudza vakachimisa panzvimbo yacho. Mangwana acho vakafumomukazve ndokuona chifananidzo chaDhagoni chakawirazve pasi pamberi peBhokisi raTenzi. Musoro wacho namaoko acho ari maviri akanga ari pachikumbaridzo akatyoka. Muviri wacho chete ndiwo wakanga wasara. Pamusana paizvozvi vapristi vaDhagoni navanhu vose vanopinda mutemberi yaDhagoni nanhasi uno havatsike pachikumbaridzo chaDhagoni chiri muAshidhodhi. Shamhu yaTenzi yakarova zvikuru vanhu vokuAshidhodhi navakavapoteredza, akavaonesa ndondo nedenda ramamota. Vanhu vokuAshidhodhi pavakazvionawo vakati, “Bhokisi Rechitenderano raMwari wavaIsiraeri harifaniri kuramba riinesu nokuti shamhu yake yanyanya kurwadza isu naDhagoni mwari wedu.” Vakatuma shoko rokukokorodza vatungamiriri vose vavaFirisitia rokuti, “Toiteiko nebhokisi raMwari wavaIsiraeri?” Ivo vakati, “Bhokisi raMwari wavaIsiraeri ngariendeswe kuGati.” Saka vakaenda nebhokisi raMwari wavaIsiraeri ikoko. Pavakaenda naro ikoko, Tenzi akarova guta irori neshamhu, kuranga kwacho kwaiva kwokuparadza chaiko. Akarova varume vomuguta iroro kubvira kuvakuru kusvikira kuvaduku, nedenda ramamota. Vakazoendesa bhokisi raMwari reChitendarano kuEkironi. Parakangosvika kuEkironi vanhu veko vakachemedzeka vachiti, “Vaunza bhokisi reChitenderano raMwari wavaIsiraeri kwatiri kuzotiurayisa isu navanhu vedu.” Saka vakabva vatumazve shoko ndokukokorodza vatungamiriri vose vechiFirisitia, vakati, “Bhokisi reChitendarano raMwari wavaIsiraeri ngariendeswe kumusha kwaro. Ngaridzorerwe kunzvimbo yaro kuti rirege kutiuraya isu navanhu vedu.” Vakadaro nokuti guta irori rose rakanga rayaura nokutya rufu. Tenzi akanga arirova shamhu inorwadza kwazvo. Vanhu vakanga vasina kufa vakarohwa nedenda ramamota, kuchemedzeka kweguta iri kwakasvika kudenga. Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara munyika yavaFirisitia mwedzi minomwe. VaFirisitia vakadaidza vapristi nen'anga ndokubvunza vachiti, “Toita sei nebhokisi raTenzi rechitenderano? Tiudzeiwo kuti tingaridzosere kwarakabva riinei?” Ivo ndokuti, “Kana mava kudzosera bhokisi rechitenderano raMwari wavaIsiraeri, musaridzosere risina chinhu. Asi edzai napose pamunogona napo kumutumira mupiro wokuripa mhosva. Ndipo pamuchazorapwa, mobvawo maziva chikonzero changa chichiita kuti shamhu yake yokuranga irege kubva pamuri.” Ivo vakapindurawo vachiti, “Ko tomutumira mupiro wokuripa mhosva worudzii?” Ivo vakapindura vachiti, “Mamota endarama mashanu, nembeva dzendarama shanu, zvakaenzana nokuwandawo kwamadzishe avaFirisitia nokuti imi namadzishe enyu makawirwa nedenda rimwechetero. Saka gadzirai zvifananidzo zvamamota nezvembeva zvaparadza nyika muremekedze Mwari avaIsiraeri. Zvimwe angakurerutsirei akabvisa shamhu yake yechirango chake pamuri imi navamwari venyu nomunyika yenyu. Ko zvinobatsirei kuti imi muomese mwoyo sokuomesa mwoyo kwakaita Farao navaIjipiti? Mwari paakazenge avapusisa havana here kuzobvumira vaIsiraeri kuenda vakabva vasimuka vakaenda? Zvino gadzirai chikochikari chitsva mutore mhou dzichiri kuyamwisa dzisati dzambobopwa pajoko mudzisunge pachikochikari ichocho, mhuru dzadzo mudzibvise mumudzinge pana amai vadzo dzidzoserwe kumusha. Munotora bhokisi iroro raTenzi rechitenderano moriisa pachikochikari, motorawo zvinhu zviya zvakaumbwa nendarama zvamuri kumutumira zvomupiro wokuripa mhosva, mozviisa mune rimwe bhokisi, moisawo rimwe bhokisi iroro muchikochikari panyasi pebhokisi rechitenderano motinha mombe dzacho dziende nechikochikari dzoga, imi motarisa moona. Kana dzikadzokera naro kunyika kwaro kuBhetishemeshi zvinobva zvaratidza kuti ndiye akatipinza munhamo huru yakadai. Asi dzikarega kudaro tinobva taziva kuti haasiri iye akatiranga neshamhu yake, zvakangoitikawo zvazvo kwatiri.” Varume ivavo vakaita saizvozvo, vakatora mhou mbiri dzichiri kuyamwisa vakadzisunga pachikochikari vakapfigira mhuru dzadzo mudanga. Vakaisa bhokisi raMwari rechitenderano chikochikari. Vakaisawo rimwe bhokisi raiva nembeva dzendarama nezvifananidzo zvamamota zvendarama. Mhou idzi dzakati tande nomugwagwa chete ndokuramba dzakangoti nawo dzakananga kuBhetishemeshi dzikafamba dzichikuma. Asi hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Madzishe avaFirisitia akadzitevera kusvikira kumuganho neBhetishemeshi. Izvozvo vanhu vokuBhetishemeshi vaingunokohwa koroni yavo mubani. Pavakatarisa vakaona bhokisi rechitenderano vakapembera vachifarira kuriona. Chikochikari ichi chakasvikira kumunda waJoshuwa wokuBhetishemeshi chikasvikomira pamunda wake. Ipapo paiva noruware rukuru kwazvo. Vakatsemura mapuranga echikochikari ichocho vakapira mhou dziya kuna Tenzi sechibayiro chokupisa. VaRevhi vakaburutsa bhokisi raTenzi rechitenderano pamwechete nerimwe bhokisi raiva pedyo naro maiva nezvifananidzo zvendarama ndokuzviisa paziware riya. Musi iwoyo varume vomuBhetishemeshi vakapira zvibayiro zvokupisa nemipiro kuna Tenzi. Madzishe echiFirisitia mashanu akaonawo izvozvi ndokubva adzokera zvavo kuEkironi musi wakareyo. Izvi ndizvo zvifananidzo zvamamota endarama zvakatumirwa kuna Tenzi somupiro wokuripa mhosva navaFirisitia: chimwe chaimiririra Ashidhodhi, chimwe Gaza chimwe Ashikeroni, chimwe Gati, chimwe Eikroni. Zvifananidzo zvembeva zvendarama zvakanga zvakakwaniranawo namaguta ose amadzishe mashanu avaFirisitia, ose ari maguta akavakirirwa tsvingo pamwechete nemisha yakanga isina tsvingo. Ziware riya, ravakaisa bhokisi raTenzi rechitenderano ririko sechapupu nanhasi uno riri kwaJoshuwa wokuBhetishemeshi mumunda wake. Asi Mwari akauraya vamwe varume vomuBhetishemeshi nokuti vakanga vadongorera mubhokisi raTenzi rechitenderano. Akauraya makumi manomwe avanhu pamakumi mashanu ezviuru. Vanhu vakachema nokuti Tenzi akanga arakatisa kuuraya vamwe vavo. Varume vomuBhetishemeshi vakachemedzeka vachiti, “Ndianiko angafemerewo zvake kuva pana Tenzi, Mwari mutsvene iyeyu? Ko zvino toritumira kunaaniko kuti abve zvake kuno kwatiri?” Vakatumira nhume kuvagari vokuKiriatijearimu kundoti, “VaFirisitia vakadzora bhokisi raTenzi rechitenderano. Dzikai kuno muritore mukwire naro kwenyu ikoko.” Varume vokuKiriatijearimu vakauya vakatora bhokisi raTenzi rechitenderano vakaenda naro kumba kwaAbhinadhabhu pachikomo. Vakagadza mwana wake Ereazari kuti achengete bhokisi raTenzi rechitenderano. Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara muKiriatijearimu kwenguva ndefu kubvira musi waraiswa ikoko. Rakasvitsa makore makumi maviri, vaIsiraeri vose vakachema kuna Tenzi. Samueri akataurira vaIsiraeri vose achiti, “Kana mada zvokudzokera kuna Tenzi nomwoyo wose motorasa vamwari vasirivo pamwechete nezvifananidzo zvavamwari vanaAshitaroti zvamunazvo, muise mwoyo yenyu kuna Tenzi munamate iye oga. Iye achakununurai mumaoko avaFirisitia.” Naizvozvo vaIsiraeri vakarasa vamwari ivavo vanaBhaari navanaAshitaroti vakanamata Tenzi chete. Ipapo Samueri akazoti, “Unganidzai vaIsiraeri vose kuMizipa, ndigokunamatirai kuna Tenzi.” Nokudaro vakaungana kuMizipa vakateka mvura vakaidururira pasi pamberi paTenzi, vakatsanya musi iwoyoyo vakareurura vachiti, “Takatadzira Tenzi.” Samueri akatonga vaIsiraeri ari kuMizipa. Kuzoti vaFirisitia vanzwa kuti vaIsiraeri vakanga vaunganidzana kuMizipa, madzishe echiFirisitia akakwira ikoko kundorwisa vaIsiraeri. Izvozvi pazvakasvikawo munzeve dzavaIsiraeri vakatya vaFirisitia. VaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musamborega zvenyu kuramba muchitinamatira kuna Tenzi Mwari wedu kuti atinunure mumaoko avaFirisitia.” Samueri akatora hwayana ichiri kuyamwa akaipira kuna Tenzi sechibayiro chinopiswa mutumbi wose. Samueri uyu akateterera kunamatira vaIsiraeri kuna Tenzi, Tenzi ndokumupindura. Samueri achingunopira chibayiro ichocho kudaro, nokokowo vaFirisitia ndiye tutururu vhu kusvika kuzorwisa vaIsiraeri. Asi musi iwoyo Tenzi akatinhira nomutinhiro mukuru kwazvo nechepamusoro pavaFirisitia akavakangaidza, vaFirisitia vakadzvamutswa navaIsiraeri. VaIsiraeri vakabudira vaFirisitia muMizipa vakadzingirirana navo vachivaita rumwe rumwe kuuraya nzira yose kusvikira munyasi meBhetikari. Samueri akatora dombo akarimisa pakati peMizipa neSheni akaritumidza zita rokuti, “Dombo rerubatsiro” achiti, “Tenzi atibatsira kusvikira pari nhasi.” Nokudaro vaFirisitia vakakundwa vakarega kuzopindazve munyika yavaIsiraeri. Paupenyu hwose hwaSamueri ruoko rwaMwari rwairwisa vaFirisitia. VaIsiraeri vakatorazve maguta avakanga vatorerwa navaFirisitia kubvira kuEkironi kusvikira kuGati. VaIsiraeri ava vakatorazve nyika yavo mumaoko avaFirisitia. Pakati pavaIsiraeri navaAmori paivawo norugare. Samueri akatonga Isiraeri upenyu hwake hwose. Gore negore aipota achishanyira Bhetieri neGirigari neMizipa achitonga Isiraeri munzvimbo dzose idzodzi. Aizodzokera zvake kuRama nokuti ndokwaiva nomusha wake achitongawo mhosva dzavaIsiraeri ari ikoko. Akavakira Tenzi atari ikoko. Kuzoti Samueri akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsiraeri. Dangwe racho aiva mukomana ainzi Joeri, wechipiri ari Abhiya, vaiva vatongi kuBheerishebha. Asi vanakomana vake havana kutevedzera tsika dzababa vako. Asi kutoti vakatsauka mugwara racho vapindwa nomweya wokuda kupfuma nenzira dzisina kunaka. Vakagamuchira pfumbamuromo, vachirega kutonga zviri pamurao. Ipapo vakuru vakuru vose veIsiraeri vakakokorodzana vakaenda kuna Samueri kuRama vakasvikoti kwaari, “Chionaika imi makwegura. Uye chimwe nechichi ndechokuti vanakomana venyu havasi kutevedzera tsika dzenyu. Zvino chitisarudzirai mambo wokutitonga sezvakangoitawo mamwe marudzi ose.” Asi chichemo chavo chokuti, “Tisarudzirei mambo wokutitonga,” hachina kufadza Samueri, ndokubva anamata kuna Tenzi. Tenzi akati kuna Samueri, “Gamuchira zvako zvose zvavari kukumbira nokuti haasiri iwe wavari kuramba, asi wavari kuramba chaiye kuti ave mambo wavo, ndini. Sezvavaingoita kubvira pandakavaburitsa muIjipiti kusvikira pari nhasi zvokundiramba vachindonamata vamwe vamwari ndizvozviwo zvavava kuita kwauri. Zvino gamuchira zvako chichemo chavo. Asi chete, nyatsovayambira chaizvo uvaisire pachena zvichaitwa namambo achavatonga.” Saizvozvo Samueri akarondedzera zvose zvaakanga audzwa naTenzi kuvanhu vaimukumbira mambo. Akati, “Zvichaitwa namambo achakutongai ndezvizvi: achatora vana venyu achivaita varwi vengoro dzake dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo, vamwe vari vokumhanya vachitungamirira ngoro yake. Achazvisarudzira vamwe kuti vaite vatungamiriri vake pachake vezvikwata zvina varwi chiuru vamwewo chavarwi makumi mashanu mashanu. Vamwe vachange vari vokurima nokukohwa mumunda make, nokugadzira zvombo zvake zvehondo nemidziyo yose yengoro dzake dzehondo. Achatora vanasikana venyu achivapa basa rokugadzira mafuta okuzora anonhuhwirira nokubika chingwa nezvimwewo zvokudya. Achatora minda yenyu yakanakisisa pamwechete neminda yemigirepisi neyemiorivhi achiipa zvake machinda ake. Achakubvisisaiwo mutero wechegumi chakewo zvake chembesanwa dzenyu nechewaini achichipa makurukota ake namachinda ake. Achatorawo zvake varanda venyu vechirume nevechikadzi, navana venyu majaya, namadhongi enyu kuti aitise basa rake. Achatorawo mutero wechegumi pahwai nembudzi dzenyu. Iyemi pachenyu muchava varanda vake. Panguva iyoyo muchazochema pamusana pamambo wenyu iyeyo wamunenge mambozvisarudzira iyemi pachenyu.” Asi Tenzi haakupindurei pazuva iroro. Asi vanhu vakaramba kunzwa zvavakaudzwa naSamueri. Vakati, “Kwete! Tiri kuda kutongwa namambo kuti tiitewo samamwe marudzi ose aya, titongwewo namambo wedu iyeyo apote achititungamirira nokuzotirwirawo muhondo.” Samueri akati anzwa zvose zvakataurwa navanhu akandozvitaurirawo kuna Tenzi. Tenzi akati kuna Samueri, “Gamuchira zvako chichemo chavo uvape mambo.” Samueri akaudza vaIsiraeri vose kuti, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rokwake.” Kwaiva nomumwe murume wokwaBhenjamini ainzi Kishi mwanakomana waAbhieri mwanakomona waZerori mwanakomana waBhekorati mwanakomana waAfia wedzinza rokwaBhenjamini. Aiva munhu aizikanwa kwazvo. Munhu iyeyu akanga ane mwanakomana wake ainzi Sauro akanga ari jaya rine chimiro chakanakisa kwazvo. PavaIsiraeri pakanga pasina mumwe munhu aikwanisa kuenzaniswa naye parunako. Aiva akapfuura vanhu vose kureba, vamwe vose vachingomirira mumapendekete ake. Rimwe zuva madhongi aKishi, baba waSauro akarasika. Kishi ndokutaurira mwana wake Sauro achiti, “Tora mumwe muranda musimuke muende kundotsvaka madhongi.” Sauro akapfuura nomunyika yamakomo yokwaEfuremu, akapfuurawo nomudunhu rokuSharisha, asi haana kuawana. Akaendawo nomudunhu rokuShaarimu asi haana kuawana. Akazoendawo nomudunhu rokuZufu asi haana kuawana. Sauro paakasvika kudunhu reZufu akati kumuranda wake waaiva naye, “Ngatichidzokai! Baba vangazodaro vakarega kufunga nezvamadhongi vakatozonetseka mumwoyo voshushikana nezvedu.” Muranda akamupindura achiti, “Muguta iri mune munhu waMwari, munhu anoremekedzeka. Zvose zvaanotaura zvinoitika. Zvino dai tikaendako, zvimwe angatiudze zvatiri kufambira.” Sauro akati kumuranda wake, “Hongu kuendako tingaende zvedu, asi tingandomupeiko? Chandinodariro ndechichi chokuti, chingwa chapera mutsapo dzedu. Hatina kana rechii chokupa munhu waMwari iyeyu. Chii chatinacho?” Muranda uyu ndokupindurazve Sauro achiti, “Tarisai muone, ndine mari shoma iyi inouremu hunokwana chidimbu chechina chemari yesirivha yemashekeri. Ndichaipa kune munhu waMwari kuti atiudze kwokuenda nako.” (Kare vaIsiraeri vaiti kana munhu oda zvokundobvunza kuna Mwari aiti, “Handei kumuoni,” nokuti ava kunzi muporofita mazuva ano, kare ainzi muoni.) Sauro akati kumuranda wake, “Zvakanaka, handei.” Saka vakaenda zvavo kuguta kwaiva nomunhu waMwari. Pavakanga vachikwira chikomo paiva neguta iroro, vakasangana navasikana vaiendawo kundoteka mvura, vakavati, “Ko muoni aripo here?” Ivo vakati, “Ee, aripo. Inga wani anotova pamberi penyu apa. Zvino kurumidzai. Auya nhasi muguta medu nokuti iye nhasi uno vanhu vachapira chibayiro kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira. Mukangoti pindei muguta, muchamuwana asati akwira kunzvimbo yacho yakatunhumara yokuteurira kundodya nokuti vanhu havazotanga kudya asati asvikako zvaariye anofanira kutanga atombokomborera chibayiro, ndopachazodyawo vakakokwa. Kwiraiko zvenyu nokuti munobva mangomuwana izvozvi.” Saka vakabva vakwira kuguta. Pavakanga vava kupinda mukati meguta, onei Samueri hoyo ochingudzana navo achienda kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira. Zuro racho, Sauro asati aendako, Tenzi akanga afanoudza Samueri kuti, “Mangwana, panguva ino iyoyi ndichakutumira mumwe murume wokunyika yakwaBhenjamini. Unofanira kumuzodza kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri. Ndiye achanunura vanhu mumaoko avaFirisitia nokuti ndakaona nhamo yavanhu vangu, ndikanzwawo kuchema kwavo.” Kuzoti Samueri aona Sauro, Tenzi akabvawo amuti, “Ndiyeyu murume wandakakuudza uyu! Iyeyu ndiye achatonga vanhu vangu.” Sauro akaenda kuna Samueri pasuo guru reguta akati, “Mungandiudzewo here kune imba yomuoni?” Samueri akapindura Sauro achiti, “Ndini muoni wacho. Chitungamirai tiende tose kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira nokuti iye nhasi uno muchadya neni. Ndichazokuregai zvenyu moenda mangwana mangwanani. Ndichakuudzaiwo nhuna dzemwoyo wenyu dzose. Asi kana zviri zvamadhongi ako akarasika mazuva matatu apfuura chirega zvako kuzvinetsa nezvawo, nokuti akatowanikwa. Ko unoti chido chavanhu vose muIsiraeri muno chiri kupiko? Chiri pauri iyewe navose vemba yababa wako.” Sauro akapindura chiti, “Inga ini ndiri wokwaBhenjamini, dzinza rouko kwokupedzesera chaiko muIsiraeri? Ko mhuri yedu haisiri iyo here yokupedzesera mudzinza rokwaBhenjamini? Zvino zvamuri kutaura kwandiri izvi zvinorevei?” Samueri akaenda naSauro pamwechete nomuranda wake akapinda navo mumba huru akavapa zvigaro zvapamusorosoro kupfuura vamwe vose vakanga vakokwa vaikarosvika makumi matatu avanhu. Samueri ndokuti kumubiki, “Chiuya nenyama yechirango iya yandakati uise payo yoga.” Saka mubiki uyu akandotora chidya, nyama yapamusoro pechidya akazvigadzika pamberi paSauro, Samueri ndokuti, “Zvaurikuona izvi zvagadzikwa pamberi pako zvanga zvakachengeterwa iwe. Idya zvako nokuti ndochirango chawanga wakachengeterwa kusvikira nguva ino iyi yakatarwa kuti udye pamwechete navanhu vakakokwa.” Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo. Pavakadzika kubva kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuya, vapinda Muguta, Samueri akataura naSauro ari padenga remba. Vakafumomuka mambakwedza Samueri akadaidza Sauro padenga remba paya achiti, “Chimuka ndikuperekedze.” Sauro akamuka vakabva vapinda munzira vose vari vaviri. Vachingunofamba kudaro voda kusvika kwokupedzesera kweguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda ambofanotungamira zvake. Kana achinge atungamira iwe wombomira pano, kwechinguva ndigokutaurira shoko raMwari.” Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadururira mumusoro waSauro akamutsvoda akati, “Handiti Tenzi, izvozvi atokuzodza achikugadza kuti uve mutungamiriri wavanhu vake vaIsiraeri? Ndiwe uchatonga vanhu vaTenzi uchivanunurawo kuvavengi vavo vari munharaunda yavo. Chiratidzo chauchaziva nacho kuti Tenzi akuzodza achikugadza kuti uve mutungamiriri wavanhu vake ndechichi chokuti, paunobva pano pandiri iye nhasi uno uchandosangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri kumuganho wenyika yokwaBhenjamini kuZeriza vachakutaurira kuti, ‘Madhongi awakanga uchitsvaka akawanikwa.’ Asi zvino baba vako havasisiri kunetseka nezvemadhongi vava kutotambudzika mumwoyo pamusoro pako vachiti, ‘Ndoita waaniko nezvemwana wangu?’ Kana wabva ipapo uchienda mberi uchasvika napamuoku wokuTabheri. Ipapo uchasangana navarume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBhetieri. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura zvingwa zvitatu, mumwewo achange akatakura chigubhu chematehwe chewaini. Vachakukwazisa vagokupa zvingwa zviviri. Iwe unofanira kuzvigamuchira. Uchazosvikawo kugomo rinonzi Gibheatierohimu ikoko kune kachikwata kavarwi vechiFirisitia. Wava kupinda muguta iroro uchasangana nedungwerungwe ravaporofita vachiburuka kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira vachitungamirirwa navanhu vanenge vachiridza madimbwa nengoma nenyere nezvipendani, vachiporofita. “Mweya waTenzi achabva auyawo zvine simba guru kwazvo pauri iwe ugoporofita pamwechete navo. Iwe uchasanduka ukava mumwe munhu akasiyana nezvauri izvi. Ukange waona zviratidzo izvozvi zvaitika uite zvaunoona kuti zvinodiwa kuitwa nokuti Mwari anewe. Zvino iwe unozofanotungamira kuGirigari. Ini ndichakutevera kuzopira mipiro yokupisa nokupirawo zvibayiro zvokuwadzana. Unondimirirako kwamazuva manomwe kudzamara ndasvika ndigokuratidza zvokuita.” Sauro paakafuratira Samueri oenda zvake, Mwari akamupa mumwe mwoyo zviratidzo zvose izvi zvikabva zvaitika zuva iroro. Pavakasvika kuGibhea boka ravaporofita rakabvawo rasangana naye. Mweya waMwari wakabva wauyawo paari zvine simba guru kwazvo ndokubva ava kuporofita. Vose vaimbomuziva kare pavakamuona achiporofita kudaro navaporofita vakabvunzana vachiti, “Ko mwanakomana waKishi apindwa nei? Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?” Mumwewo murume weko akati, “Ko Baba vavo ndiani? Munoti iwo mweya wokuporofita unobva kunaaniko?” Ndokusaka kwakabva kwava netsumo yokuti, “Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?” Sauro paakapedza kuporofita akaenda kunzvimbo yepo yakatunhumara yokuteurira. Baba mudiki vaSauro vakabvunza iye Sauro nomuranda wake kuti, “Makanga muri kupiko?” Sauro ndokuti, “Takanga tichitsvaka madhongi. Asi patakaona kuti haasi kuwanikwa taashaya takazoenda kuna Samueri.” Baba mudiki vaSauro vakati, “Tipirewoka tinzwe zvamakaudzwa naSamueri?” Sauro akapindura baba mudiki wake achiti, “Akanyatsotizivisa pachena kuti madhongi akawanikwa.” Asi nenyaya yezvoumambo yaakanga audzwa naSamueri, hapana kana chaakavataurira. Samueri akakokera kuti vanhu vaungane kuna Tenzi kuMizipa akataurira vaIsiraeri achiti, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakaburitsa vaIsiraeri muIjipiti ndikakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko amadzimambo ose aikubatai zvakaipa.’ Asi imi nhasi uno maramba Mwari wenyu anokununurai munjodzi dzenyu nomunhamo dzenyu dzose. Asi imi mati, ‘Kwete, itotigadzirai mambo wokutitonga!’ Saka zvino chiuyai pana Tenzi muri dzinza nedzinza, imba nemba.” Samueri paakapinza madzinza ose avaIsiraeri mudariro, dzinza rokwaBhenjamini ndorakabva rabatwa nechin'ange. Vakazopinza dzinza rokwaBhenjamini mudariro imba nemba, imba yokwaMatiri ikabatwa nechin'ange. Vakazopinza vemba yokwaMatiri mudariro mumwechete mumwechete, chin'ange chikabata Sauro mwanakomana waKishi. Asi zvino pavakati vamutsvake vakamushaya. Saka vakabvunzazve kuna Tenzi vachiti, “Ko munhu iyeyo ambouya here?” Tenzi ndokupindura achiti, “Ehe auya. Akahwanda zvake mukati memikwende.” Vakamhanya vakandomutora ikoko. Paakamira pakati pavanhu akanga akapfuura vanhu vose kureba, vamwe vose vachingomirira mumapendekete make. Samueri akati kuvanhu vose, “Mamuonaka munhu akasarudzwa naTenzi? Hakuna mumwe angaenzaniswe naye.” Vanhu vose vakadaidzira vachiti, “Mambo! Hekani waro, ngazvigare zvakadaro!” Samueri akataurira vanhu mitemo inofanira kutevedzwa munyika inenge ichitongwa namambo. Akanyora bumbiro remitemo iyoyi akandoisa bhuku racho pana Tenzi. Samueri akati vanhu vose vachienda zvavo kumisha yavo. Sauro akaendawo kumusha kwake kuGibhea. Akaendawo navamwe varume, mvumba chaidzo dzokurwa vakanga vabatwa mwoyo naMwari. Asi vamwewo vanhu vasina namaturo ese vakati, “Munoti iyeyu akadai ndiye angatiponese iyeyu?” Vakamushora vakarega kumupa zvipo. Asi Sauro haana zvake zvaakataura. Nahashi muAmoni akakwira kuJabheshigireadhi akarikomba. Varume vose vomuJabheshi vakati kuna Hahashi, “Madii zvenyu kuita chitenderano nesu tigokushandirai?” Asi Nahashi muAmoni akavati, “Ndingatozoita chitenderano nemi kana ndichinge ndatotanga ndaita izvi zvokuti ndokusvukunurai mose maziso enyu okurudyi ndigonyadzisa vaIsiraeri vose nazvo.” Vakuru vakuru vomuJabheshi vakati kwaari, “Tipeiwo mazuva manomwe tiwanewo nguva yokumbotumira nhume munyika yose yeIsiraeri. Kana kwashayika wokuzotinunura ndopatichazviisa zvedu mumaoko enyu.” Nhume dzacho padzakasvika kuGibhea kwaSauro dzakasvitsa shoko iri munzeve dzavanhu, vanhu ndokuita zhwerendende kuchema. Izvozvo Sauro akanga achibva zvake kumunda achitotinha nzombe dzake. Sauro ndokuti, “Ko vanhu vari kuchema, vari kuchemei?” Vakamutaurira nyaya dzakanga dzasvika nenhume dzokuJabheshi. Sauro paakazvinzwa Mweya waMwari wakauya paari nesimba guru kwazvo akaviruka kwazvo nehasha. Akabaya nzombe mbiri ndokudzicheka-cheka, ndokutumira nhindi dzenyama nenhume munyika yose yeIsiraeri achiti, “Izvi ndizvo zvichaitwa nzombe yomunhu wose anenge asina kubuda naSauro naSamueri!” Vanhu vakatya Tenzi vakabuda vose pamwechete. Sauro akavaronganisa kuBhezeki. Paiva navarwi vokwaIsiraeri mazana matatu ezviuru vokwaJudha vari zviuru makumi matatu. Vakaudza nhume dziya dzokutumwa dziya kuti, “Munondoti kuvarume vokuJabheshigireadhi, ‘Mangwana, panguva yorudziyakamwe muchange matonunurwa.’ ” Nhume idzi padzakasvikotaurira varume vokuJabheshi izvozvi vakafara kwazvo. Varume vokuJabheshi ndokuti kuvaAmoni, “Mangwana tichazviisa zvedu mumaoko enyu mugoita zvenyu zvamunoda nesu.” Ramangwana racho, Sauro akakamuranisa varwi vake akavaisa muzvikwata zvitatu. Kwava kuda kuti ngwee kuedza vakabva vaverera vati vhu kusvika mumatendhe evaAmoni vakavakatakazha kusvikira panguva yorudziyakamwe. Vakanga vapunyuka vakaitiswa rumwe rumwe kupararana zvokushaya kana vaviri zvavo vakakwanisa kusara vari vose. Vanhu ndopavakati kuna Samueri, “Ndivanaani vaya vaitadza kutaura vachiti, ‘Tingatongwe naSauro here isu?’ Ngavaunzwe pano varume ivava tivapfuudze.” Asi Sauro akati, “Hapana anofanira kuurayiwa nhasi uno nokuti iye nhasi uno Tenzi anunura nyika yeIsiraeri.” Samueri akazoti kuvanhu, “Handei kuGirigari tindopemberera kugadzwa kwakaitwa mambo.” Saka vanhu vose vakaenda kuGirigari vakagadza Sauro pachigaro chake choumambo pana Tenzi kuGirigariko. Vakapira mipiro yokuwadzana vari ikoko pana Tenzi, Sauro navaIsiraeri vose vakaita mabiko vakapembera vachifara zvikuru. Samueri akati kuvaIsiraeri vose, “Chinzwai munzwe, ndakateerera zvose zvamakanditaurira ndikakugadzirai mambo wokukutongai. Zvino chinzwai, mambo ndiye ava kukutungamirirai. Ini ndakwegura, ndachena musoro, muri kungozvionerawo navana vangu vari mukati menyu. Kubvira ndichiri jaya kusvikira pari nhasi, ndanga ndichikutungamirirai. Ini ndiri pano wandakatadzira ngaareve pachena pano pana Tenzi nomuzodzwa wake. Pane wandakatorera mombe yake here? Aripo here wandakatorera dhongi rake? Pane wandakabiridzira here? Ndiani akambobatwa zvakaipa neni? Aripo here ane pfumbamuromo yake yandakagamuchira kuzvipofomadza zvangu meso nayo? Kana aripo ngaandiudze pachena, ndinoda kuzviripa.” Ivo vakati, “Hapana chamakatibiridzira. Hamuna kumbotibata zvakaipa, kana kutora chimwe chinhu chomunhu.” Samueri ndokuti kwavari, “Tenzi ndiye achava chapupu kwamuri, muzodzwa wake ari chapupu nhasi uno kuti hapana chomunhu chamaona ndinacho.” Ivowo vakati, “E-e ndiye chapupu.” Samueri akati kuvanhu, “Tenzi ndiye akasarudza Mosesi naAroni vakaburitsa madzibaba enyu munyika yeIjipiti. Saka zvino chimbomirai ndikutsanangurirei pano pana Tenzi zvinhu zvakaitwa naTenzi zvokuvanunura, zvaakaitira imi namadzibaba enyu. Jakobho paakaenda kuIjipiti, madzibaba enyu akazobatwa zvakaipa navaIjipiti vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavatumira Mosesi naAroni vakaburitsa madzibaba enyu muIjipiti akavaunza kuzogara muno. Asi vakazokanganwa Tenzi Mwari wavo, iye akagovati kuche mumaoko aSisera mukuru mukuru wehondo yaJabhini mambo weHazori nomumaoko avaFirisitia nomumaoko amambo weMoabhu vakarwisa madzibaba enyu. Madzibaba enyu akachema kuna Tenzi achiti, ‘Takatadza nokuti takasiyana nemi Tenzi tikanamata vamwe vamwari vanaBhaari nanaAshitaroti. Zvino dai mukachitinunurawo zvenyu mumaoko avavengi vedu tigokunamatai imi.’ Tenzi akatuma Jerubhaari naBharaki kwouya Jefuta neni Samueri vakakununurai mumaoko avavengi venyu vokumativi ose mukagara zvenyu norunyararo. Asi pamakaona kuti Nahashi, mambo wevaAmoni auya kuzokurwisai makanditi, ‘Chatava kuda apa kutongwawo namambo, hapana chimwe,’ asi Tenzi ari iye mambo wenyu. “Zvino mambo wamakada ndiyeyu, wamakakumbira. Chionaika Tenzi agadza mambo wokukutongai. Kana mukatya Tenzi muchimunamata nokumuteerera musingarambe kuchengeta mitemo yaTenzi, kana imi mose namambo anokutongai mukati kwati naTenzi Mwari wenyu, zvichakunakirai. Asi kana mukarega kuteerera Tenzi, moramba zvenyu kuchengeta mitemo yaiye Tenzi, iye Tenzi noruoko rwake achakurangai neshamhu yake sezvaakaita madzibaba enyu. Zvino chimbomirai zvenyu muone chimwe chinhu chikuru chichaitwa naTenzi imi muchiona. Handiti iye zvino chirimo ichi nguva yokukohwa koroni? Ndichakumbira Tenzi kuti anayise mvura ine mabhanan'ana. Ndopamuchaziva mugoonawo kuti makaita chinhu chakaipa kwazvo pana Tenzi zvamakakumbira kuti munodawo mambo wenyu pachenyu.” Samueri akabva anamata kuna Tenzi. Tenzi ndokunayisa mvura ine mabhanan'ana zuva rakarero. Vanhu vose vakatya Tenzi naSamueri zvikuru kwazvo. Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Tinamatireiwo isu varanda venyu kuna Tenzi Mwari wenyu kuti tirege kufa nokuti nokuzvikumbirira kwatakaita mambo isu takatopamhidzira uipi pane zvimwe zvitadzo zvedu zvose.” Samueri akati kuvanhu, “Chiregai kunge muchatya. Kutadza kwose uku makatotadza kare. Asi chavapo ndechichi, chiregai kunge muchatsaukana naTenzi. Chinamatai Tenzi nomwoyo wenyu wose, murege kutsauka nokuti kudaro kutevera zvifananidzo zvisina maturo, zvisingabatsire, zvisinganunure nokuti hazvina kana chazvinazvo mazviri. Chandinodariro ndechichi chokuti Tenzi haamborasa vanhu vake pamusana pezita rake guru nokuti chido chake zvake Tenzi kuti akuitei vanhu vake pachake. Uyewo kana ndiri ini hazvimbofa zvakaitika kuti nditadzire Tenzi nechitadzo chokurega kukunamatirai, ndichikudzidzisai zvakanaka zvakarurama. Chenyu imi, kutya Tenzi, mumunamate nomwoyo wose, makatendeka nokuti munofanira kuyeuka zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa muchaparadzwa mose iyemi pamwechete namambo wenyu.” Sauro akanga ava namakore... paakatangisa kutonga. Akatonga Isiraeri kwamakore... namaviri. Sauro akasarudza zviuru zvitatu zvavarume muIsiraeri. Zviuru zviviri zvaivavo zvaiva naSauro kuMikimashi munyika yamakomo yeBhetieri. Vamwe vacho chiuru chimwechete vaingewo vaina Jonatani kuGibhea rokwaBhenjamini. Vamwe vose akavati vadzokere kwavo vaende zvavo kumisha yavo. Jonatani akakurira chikwata chavarwi vavaFirisitia chaiva kuGibhea, vaFirisitia ndokuzvinzwa. Sauro ndokuridza hwamanda munyika iyi yose achitiwo, “VaHebheru vose ngavanzwe zviri kuno!” VaIsiraeri vose ndokunzwa kuti Sauro akarwisa chikwata chavarwi vavaFirisitia uyewo kuti vaFirisitia vatova nedaka navaIsiraeri. Vanhu vakakokorodzwa kuna Sauro kuGirigari. VaFirisitia vakaunganidzana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Vaiva nezviuru makumi matatu engoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo zviuru zvitanhatu, varwi vavo vachinge jecha rokumahombekombe kwegungwa kuwanda. Vakakwira vakadzika matendhe avo kuMikimashi kumabvazuva kweBhetiavheni. Varume vomuIsiraeri pavakaona kuti vava parumano, (izvozvo vakanga zvino vakokeranwa) vakahwanda mumapako nomudzininga nomumatombo nomumakomba nomudzinhare. Vamwe vaHebheru vakayambuka Jorodhani vakapinda munyika yokwaGadhi neGireadhi. Sauro akanga achiri kuGirigari vose vaaiva navo vakanga vachidedera nokutya. Akamirira Samueri mazuva manomwe, nokuti ndiyo nguva yakanga yatarwa naSamueri. Asi Samueri haana kunge asvika kuGirigari. Vanhuwo vakanga voita rumwe rumwe kusiya Sauro. Sauro ndokuti, “Uyai nechibayiro chomupiro wokupisa pano pandiri pamwechete nechibayiro chemipiro yokuwadzana.” Sauro akabva apira mupiro wokupisa. Achangoti pedzei kupira mupiro wokupisa iwoyo, Samueri ndiye vhu. Sauro akaenda kundomuchingura nokumukwazisa. Samueri akati, “Ko ndochii ichochi chawaita?” Sauro akati, “Pandakaona varwi vangu vava kuita rumwe rumwe kundisiya, imiwo usina kuuya mumazuva atakanga tatarirana kuuya uye hondo yavaFirisitia yaungana kuMikimashi, ndakati, ‘Zvino vaFirisitia vachadzamara vondivinga kuGirigari kuno ndisati ndakumbira rubatsiro kuna Tenzi,’ ndozvakandisvitsa pakupira mupiro wokupisa.” Samueri ndokuti kuna Sauro, “Waita zvoupenzi, hauna kuchengeta mutemo waTenzi, Mwari wako waakakupa. Dai wanga wauchengeta Tenzi angadai azotsigisa umambo hwako hweIsiraeri kuti huvepo narini wose. Asi zvino umambo hwako hauchaenderera mberi. Tenzi atotsvaka mumwe murume wepamwoyo pake. Saka Tenzi atomusarudza kuti ave mutungamiriri wavanhu vake nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanzi naTenzi uite.” Samueri akasimuka kuGirigari ndokuenda kuGibhea kwaBhenjamini. Sauro akaverenga vanhu vaiva naye vakasvika mazana matanhatu avarume. Sauro nomwanakomana wake, Jonatani, pamwechete navanhu vavaiva navo vakanga vari kuGibhea kwaBhenjamini, izvozvo vaFirisitia vakanga vakadzika matendhe avo kuMikimashi. Mumatendhe evaFirisitia makabuda zvikwata zvitatu zvavarwi vokundopamba. Chimwe chakaenda kuOfura kudunhu reShuaru, chimwe chikwata chikananga kuBhetihoroni. Chimwewo chikananga kumuganhu wakatarisana nenyika yebani reZebhoimu chakananga kurenje. Izvozvo munyika yose yeIsiraeri makanga musina kana mhizha yokupfura simbi nokuti vaFirisitia vaityira kuti vaHebheru vangadaro vakazvigadzirira mapakatwa namapfumo. MuIsiraeri wose aitodzika kuvaFirisitia kundorodzerwa muromo wegejo rake kana badza rake kana demo rake kanawo jeko rake. Kuti muromo wegejo rake kana kuti badza rake rirodzwe aitobvisiswa mari yesirivha yamashekeri inorema magiramu masere. Kutiwo demo rirodzwe kana kuti mhayo yokutinhisa zvipfuwo iiswe muromo wesimbi aitobvisa mari yesirivha yamashekeri inorema magiramu mana. Naizvozvowo musi wehondo iyi pavanhu vaiva naSauro naJonatani hakuna kana nomumwe wavo aiva nebakatwa kana pfumo zvaro muchanza. Asi Sauro nomwana wake, Jonatani ndivo chete vaiva nazvo. Chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakandogaririra chiri kumupata wokuMikimashi. Mumwe musi Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi vechiFirisitia.” Asi Jonatani haana kuudza baba vake. Izvozvo Sauro akanga achigara kumucheto kweguta reGibhea, munyasi momuti womupomegiraneti kuMigironi aiva navarume vaikaroda kusvika mazana matanhatu avanhu. Abhiya aipfeka hanzu yeefodhi. Abhiya uyu aiva mwanakomana waAhitubhu mukoma nomunun'una naIkabhodhi, mwanakomana waFinehasi mwanakomana waEri mupristi waTenzi wokuShiro. Asi vanhu havana kunge vaziva kuti Jonatani akanga aenda. Zvino pamupata ipapo paida kupfuura napo Jonatani kuti aende kwaiva nechikwata ichi chavarwi vechiFirisitia paiti uku zidombo uku zidombo. Rimwe racho rainzi Bhozezi, rimwewo richinzi Sene. Rimwe racho raiva nechokuchamhembe kwomupata iwoyo kwakatarisana neguta reMikimashi, rimwewo nechokumaodzanyemba kwakatarisana neGebha. Jonatani akati kujaya riya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi ava vasina kudzingiswa. Dzimwe nguva Tenzi angawane chaangatiitire nokuti hapana chingarambidze Tenzi kuponesa vanhu achishandisa vanhu vazhinji kana vashoma.” Uya aitakura zvombo zvake akati, “Itai zvenyu chamunenge mafunga mumwoyo menyu. Kana ndirini ndinemi, zvamunenge mangosarudza nemwoyo wenyu ndozvandinoda.” Jonatani ndokuti, “Chiregai tiende kwavari tindomira pavanotiona. Kana vakatiti, ‘Miraipo, tiuye ikoko,’ isu ticharamba timire patinenge tiri torega kukwira tichienda kwavanenge vari. Asi kana vakati, ‘Kwirai kuno kwatiri,’ isu tinobvawo takwirako nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Tenzi atovaisa mumaoko edu.” Ipapo vose vari vaviri vakaenda vakandomira pavaikwanisa kuonekwa nechikwata chiya chavarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, “Onai onai, vaHebheru vaya vava kudzumbunuka zvino mumakomba mavanga vakahwanda.” Varwi vaya vakadaidzira kuna Jonatani nouya aimutakurira zvombo zvake zvehondo vachiti, “Uyai kuno tikudzidzisei.” Jonatani ndokuti kune wokumutakurira zvombo zvake zvehondo, “Nditevere nokuti Tenzi atovaisa mumaoko eIsiraeri.” Jonatani akakwira achiita zvokukambaira, mutakuri wezvombo zvake zvehondo akati sika-sika mushure kutevera. Jonatani akavarakatisa, mutakuri wezvombo zvake zvehondo achitevera achivapupura. Pakuuraya vaFirisitia ikoku kwokutanga kwakaitwa naJonatani nomutakuri wezvombo zvake zvehondo uyu kwakafa varume vaikarosvika makumi maviri. Vakaurayirwa pakanzvimbo kanoda kukwana muforo mumwechete. Hondo yose yavaFirisitia yakazengezana kutya. Kwaiti vapamatendhe avo navaiva musango nezvimwe zvikwata zvavarwi nezvevarwi vokundopamba vose vakadedera nokutya. Nyika yakandengendeka, kukava nokutya kukuru kwazvo kwaibva kuna Mwari. Nharirire dzaSauro dzaiva kuGibhea kwaBhenjamini dzakatarisa onei hondo yose yevaFirisitia rangove besanwa kutiza. Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, “Verengai varwi muone kuti asipo ndiani.” Vakavaverenga, wanei kuti Jonatani nomutakuri wezvombo zvake zvehondo havapo. Sauro akati kuna Ahiya, “Uya neefodhi nokuti ndiye aitakura efodhi muIsiraeri.” Sauro achitaura nomupristi kudaro bongozozo rokumatendhe evaFirisitia rakabva ratonyanya kwazvo. Sauro akati kumupristi, “Chiregai zvenyu zvamuri kuita.” Sauro navanhu vose vaaiva navo vakaungana vakaenda kundorwa. Izvozvo vaFirisitia vakanga vachitobayana pachavo, kukaita manyongori akaipisisa kwazvo. Kunyange vamwe vaHebheru vaimbova navaFirisitia vakanga vauyawo navo kuhondo vakapandukira vaFirisitia vakaenda kudivi revaIsiraeri vaiva naSauro naJonatani. Zvino vaIsiraeri vose, varume vakanga vakahwanda munyika yamakomo yaEfuremu vakanzwa zvichinzi vaFirisitia vaya vava mushishi rokutiza, vakabva vapindawo muhondo vakadzingirirana navo kwazvo. Naizvozvo Tenzi akanunura vaIsiraeri zuva iroro. Hondo iyoyi yakarwiwa kudzamara kupfuura kuBhetiavheni. VaIsiraeri vose varume vakasuruvara kwazvo musi iwoyo nokuti Sauro akanga apikira vanhu mhiko achiti, “Ngaawirwe norushambwa munhu anenge angowana chaanodya zuva risati radoka ini ndisati ndatsividza vavengi vangu.” Saka hakuna kana munhu akaisa chinhu mukanwa. Vanhu ivava vose vakasvika mune rimwe sango makanga mune uchi hwaiva pachena. Vanhu pavakapinda musango iroro onei mune uchi huchitoita zvokuerera zvahwo. Asi hakuna kana munhu akahunomborera mukanwa kuhudya nokuti vanhu vaitya mhiko iya. Asi Jonatani haana kunge anzwa kuti baba vake vakanga vatsidzira vanhu nemhiko. Akasveerera nomudonzvo waaiva nawo mumaoko, ndokunyika kwokupedzesera kwawo muzinga rouchi, ndokuhunomborera mukanwa akabva abengenuka meso. Asi mumwe wavo akamuti, “Baba venyu vanyatsosimbisisa kwazvo kutsidzira vanhu nemhiko vachiti, ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anenge angowana chaanodya nhasi uno.’ ” Vanhu vakaziya nenzara. Jonatani ndokuti, “Inga baba vangu vapa vanhu mutoro chaiwo. Asi ini tarisai muoneka, ndatobengenuka meso nokuravira kwandangoita tuuchi utwu. Ko kutozoti dai nhasi vanhu vanga vanyatsodya zvavo zvavapamba kuvavengi vavo, zvavatoita zvavo zvokuwanikidza kudai iye zvino vaFirisitia vangadai vasina kunge vatoparadzwa zvakanyanya here?” Musi iwoyo vakarakatisa vaFirisitia kubvira kuMikimashi kudzamara kuAijaroni, asi vanhu vakaziya nenzara. Vanhu vakawirirana kutora zvakanga zvapambwa. Vakatora hwai nemombe nemhuru vachidziurayira pose pose pasi, vakadya nyama isina kusinzwa ropa. Vamwe vakataurira Sauro kuti, “Zvamunoonaka, vanhu vari kutadzira Tenzi nokudya nyama isina kusinzwa ropa.” Iye ndokuti, “Ndokusatendekaka ikoko. Chikungurutsirai zidombo guru pano pandiri.” Sauro akabvawo ati, “Chipararirai nomuvanhu muvati, ‘Munhu wose ngaauye nemombe yake kana kuti hwai yake kuno kwandiri mudzibayire pano, mozodya zvenyu murege kutadzira Tenzi nokudya nyama isina kusinzwa ropa.’ ” Usiku ihwohwo munhu wose akaendako nemombe yake vakadziurayira ikoko. Sauro akavakira Tenzi atari. Ndiyo atari yake yokutanga kuvakirawo Tenzi. Sauro akazoti, “Ngatirondei vaFirisitia nousiku huno, tivapambe, tirege kusiya kana nomumwe wavo ari mupenyu.” Ivo vakati, “Itai zvenyu zvamunenge mada.” Asi mupristi akati, “Ngatimbonzwai kuna Mwari.” Sauro akabvunza kuna Mwari kuti, “Ndoronda here vaFirisitia kana kuti kwete? Ko, muchavaisa mumaoko evaIsiraeri here?” Asi musi iwoyo Mwari haana kumupindura. Sauro akati, “Uyai pano imi mose vatungamiriri vavanhu muongorore mugoona kuti zvechitadzo ichi zvauya sei nhasi. Chokwadi ndinopika naTenzi mupenyu, iye mununuri weIsiraeri, kunyange zvazvo akava Jonatani mwana wangu chaiye, anotopafa chete.” Asi pavanhu vose ivavo hapana nomumwe akamupindura chinhu. Sauro akati kuvaIsiraeri vose, “Imi mirai uku, ini nomwana wangu Jonatani timirewo uku.” Vanhu vakati kuna Sauro, “Itai zvamunenge muchida.” Naizvozvo Sauro akati kuna Tenzi Mwari wavaIsiraeri, “Ndiisireiwo pachena zvechokwadi zvacho.” Jonatani naiye Sauro vakabva vabatwa nechin'ange chikasiya vamwe vose. Sauro ndokuti, “Itai chin'ange pakati pangu ini nomwanakomana wangu Jonatani.” Jonatani ndokubva abatwa. Sauro akati kuna Jonatani, “Ndiudze zvawaita?” Jonatani akamuti, “Ndangoti nomborei tuuchi nomuromo wetsvimbo yangu. Ndinofanira zvangu kufa.” Sauro akati, “Mwari ngaandione kana iwe Jonatani ukarega kufa!” Asi vanhu vakarambira Sauro vachiti, “Munoti Jonatani afe? Anunura Isiraeri zvakakura zvikadai! Hazvimboitika! Tinopika naTenzi mupenyu, haambofanira kana kubatwa-batwa zvake kunyange ruvhudzi rwake nokuti ashanda naMwari nhasi.” Naizvozvo vanhu vakanunura Jonatani akarega kufa. Sauro akabva aregera kuronda vaFirisitia. VaFirisitia ndokubva vadzokerawo kwavo. Sauro akati agara umambo hwomuIsiraeri, akarwisa vavengi vake vose kumativi ose vaiti: vaMoabhu nevaAmoni nevaEdhomu kwoti madzimambo okuZobha kwozouya vaFirisitia. Kwose kwose kwaaienda aisiya avashura mare. Aiva gamba chairo mukurwa, akakurira vaAmareki akanunura Isiraeri mumaoko avanhu vaivapamba. Vana vaSauro vakomana vaiva Jonatani naIshivhi naMarikishua, vasikanawo vaiva vaviri, wedangwe ainzi Merabhi, muduku achinzi Mikari. Mudzimai waSauro ainzi Ahinoamu mwana waAhimaazi. Mutungamiriri wehondo yake ainzi Abhuna mwanakomana waNeri, babamudiki waSauro. Baba waSauro ainzi Kishi. Neri baba waAbhuna akaberekwa naAbhueri. Paupenyu hwose hwaSauro paigara pakarwiwa chete zvakaomarara navaFirisitia. Iyewo Sauro aiti akaonawo munhu ane simba, kana wose aiva nechivindi, aibva amupinza muhondo yake. Samueri akati kuna Sauro, “Ndakatumwaka ini naTenzi kuti ndikuzodze, kuti uve mambo wavanhu vake vaIsiraeri. Saka zvino chinzwa zvarehwa naiye Tenzi. Zvanzi naTenzi, Samasimbaose, ‘Ndinoda kuranga Amareki nezvavakaitira Isiraeri zvokuvagariridza munzira pavaibva kuIjipiti. Zvino enda urwise vaAmareki unyatsoparadza zvose zvavanazvo, usavanzwire tsitsi, asi unofanira kutouraya kubvira kuvarume kusvikira kuvakadzi nokubvira pamwana kudzamara kurusvava ruchiri kuyamwa, kubvirawo pamombe kusvikira kuhwai uyewo kubvira pangamera kudzamara kudhongi.’ ” Nokudaro Sauro akakoka vanhu kuti vaungane akavaverenga paTeraimu vakakwana mazana maviri ezviuru zvavarume vokufamba netsoka kwouyawo vokwaJudha gumi rezviuru zvavarume. Sauro akaenda kuguta revaAmareki akasvikoti vamwe vaite zvokuhwandira mumupata. Sauro akaruma vaKeni nzeve achiti, “Ibvai pano budai mukati mevaAmareki, ndingadaro ndikakubatanidzirai nevaAmareki. Ndinodaro nokuti makaitira vaIsiraeri vose tsiye nyoro pavaibva kuIjipiti.” VaKeni vakabva vabva mukati mevaAmareki. Sauro akabva akurira vaAmareki kubvira kuHavhira kusvikira kuShuru, kumabvazuva kweIjipiti. Akabata Agagi mambo wevaAmareki ari mupenyu. Asi vamwe vanhu vose akanyatsovauraya namapakatwa. Asi iye Sauro navanhu vake vakaitira Agagi tsiye nyoro vakarega kumuuraya. Vakaregawo kuuraya hwai nemombe dzakanga dzakanakisisa, nehwayana nezvigondora zvakanga zvakakora nezvose zvakanga zvakanaka izvozvo zvose havana kana kuzviparadza asi zvimwe zvose zvaiva nechinoshoreka pazviri zvakanga zvisina maturo ndizvo zvavakanyatsoparadza chaizvo. Shoko raTenzi rakasvika kuna Samueri rikati, “Ndava kutokungura kuti dai zvangu ndisina kugadza Sauro umambo nokuti zvokunditevera asiya, atondifuratira arega zvake kuteerera mitemo yangu.” Zvakatsamwisa Samueri akararirochema usiku hwose kuna Tenzi. Samueri akafumomuka mangwanani kundoonana naSauro. Samueri akaudzwawo kuti, “Sauro anga ari kuKarimeri. Mufungeka akazvidzikira shongwe ikoko ndokusimudzira zvake rwendo rwake odzika akananga kuGirigari.” Samueri akazosvika kuna Sauro, Sauro akakwazisana navo achiti, “Tenzi ngaakukomborerei! Ndakaita zvakataurwa naTenzi.” Samueri ndokuti, “Ko chandiri kunzwa kuti bhererere hadzisi hwai here? Ko chiri kunzwika kukuma hadzizi mombe here?” Sauro akati, “Dzakauya navanhu kubva kuvaAmareki nokuti mombe nehwai idzodzi dzakanakisisa kwazvo havana kudziuraya vachiitira kuzobayira Tenzi, Mwari wenyu zvibayiro. Asi zvimwe zvose takanyatsozviparadza.” Samueri ndokuti kuna Sauro, “Chinyarara! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naTenzi usiku hwapfuura.” Iye akavati, “Ee taurai zvenyu.” Samueri akati, “Kunyange zvazvo waizviona sokunge munhu pasina asika ndiwe mutungamiriri wamadzinza evaIsiraeri. Tenzi akakuzodza achikugadza umambo hwomuIsiraeri. Tenzi ane basa raakakutuma. Akati, ‘Enda undotsakatisa vatadzi ava vaAmareki uvarwise kusvikira vapera kuti nho.’ Wakagoregererei kuteerera zvakanzi naTenzi uite? Ko wakabhururukira zvinhu zvokupamba sei, uchitadzira Tenzi nechakaipa chakadaro?” Sauro akapindurawo Samueri achiti, “Ko inga ndakaita wani zvakanzi naTenzi zviitwe. Ndakaitaka ini basa randakatumwa naTenzi. Ndakangouya naAgagi mambo weAmareki asi ndakatsakatisa vamwe vaAmareki vose. Asi vanhu vakatoraka mombe nehwai idzi pazvinhu zvaiva zvapambwa. Vakatora zvaiva zvakanakisisa kwazvo pazvinhu zvakanga zvakaturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe kuti vazopira izvozvo kuna Tenzi, Mwari wenyu kuGirigari.” Samueri ndokutiwo, “Tenzi anofarira here mipiro yokupisa kana kuti zvibayiro? Handiti Tenzi anotofarira kuti izwi rake riteererwe? Chinzwa! Kuteerera kuri nani pane kupira chibayiro, kuva unonzwa kuri nani pane kupira mafuta ehondohwe; nokuti kupanduka chitadzo chimwechetecho nokushopera, kuzvitutumadzawo chiri chimwecho nouipi nokunamata zvifananidzo. Zvawaramba kuteerera Tenzi, naiyewo akurambawo paumambo.” Sauro akati, “Inga ndakatopara chitadzo nokuti ndakatyora mutemo waTenzi, ndakatadzawo kuchengeta mashoko enyu pamusana pokuti ndakatya vanhu, nokuteerera kwandakaita zvavaireva. Saka zvino ndinokumbirisawo ndiregerereiwo chitadzo changu, tidzokere tose kwakare ndindonamata Tenzi pakare.” Samueri akati kuna Sauro, “Handiende newe ini nokuti wakaramba shoko raTenzi, naiyewo Tenzi akurambawo paumambo hwomuIsiraeri.” Zvino Samueri paakangoti furatirei oda kuenda, Sauro ndiye dzvi kumubata, hanzu ikabva yabvaruka. Samueri ndokumuti, “Tenzi abvarurawo umambo hwomuIsiraeri kwauri nhasi uno, akahupa mumwe wako ari nani panewe. Uyewo iye Mbiri yeIsiraeri haanyepi, chaanenge ataura ndichocho, haasanduke-sanduke nokuti haasiri munhu, munhu anosanduka-sanduka iye haadaro.” Sauro akati, “Ndakaita chitadzo. Asi dai ukandinyarawo ukandiremekedzawo zvako pana makurukota avanhu vangu napamberi peIsiraeri tidzokere tose ndindonamata Tenzi, Mwari wako.” Saka Samueri akadzokera naSauro, Sauro akandonamata Tenzi. Samueri akati, “Ndiunzirei pano Agagi mambo wevaAmareki.” Agagi akauyapo achifara zvake. Izvozvo Agagi aiti, “Zvorufu hapachisina.” Asi Samueri akati, “Bakatwa rako raisiya vakadzi vasisina vana. Saizvozvo amai vako vava kusarawo pakati pavakadzi vasisina mwana.” Samueri akaita Agagi kanyama kanyama pana Tenzi kuGirigari. Samueri akaenda kuRama, asi Sauro akaenda kumusha kwake kuGibhea rokwaSauro. Samueri haana kumbozoonanazve naSauro kusvikira kufa kwake. Asi Samueri akachema Sauro, uku Tenzi achitokungura kuti dai zvake asina kumbogadza Sauro umambo hwomuIsiraeri. Tenzi akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchingochema Sauro iwe uchiona zvako kuti ndamuramba kuti ave mambo weIsiraeri? Zadza nyanga namafuta ndikutume uende kuna Jese muBheterehemu nokuti ndazviwanira mambo mukati mavana vake.” Samueri akati, “Ndingagoenda sei? Sauro akazvinzwa anondiuraya.” Tenzi ndokuti, “Tora tsiru mudanga uende naro unoti iwe, ‘Ndauya kuzopira chibayiro kuna Tenzi.’ Zvino iwe ukoke Jese kuchibayiro, ndichakuratidza zvokuita. Unozofanira kundizodzera wandinenge ndakuudza nezita.” Samueri akaita zvaakanga audzwa naTenzi, akaenda kuBheterehemu. Vakuru vakuru vomuguta iri vakauya kuzochingurana naye vachidedera nokutya. Vakuru ava vakati, “Ko kwakanaka here?” Samueri akati, “Aiwa kwakanaka zvako. Ndauya kuzopira chibayiro kuna Tenzi. Zvichenurei tiende tose kuchibayiro.” Samueri akachenura Jese navanakomana vake akavakoka kuchibayiro. Pakusvika kwavakaita, Samueri akatarisa Ereabhu akazviti nechomumwoyo, “Chokwadi uyu ari pana Tenzi ndiye muzodzwa wake.” Asi Tenzi akati kuna Samueri, “Usatarise chimiro chake kana mhumhu wake nokuti ndamuramba. Chikonzero ndechokuti maonero angu ini Tenzi akasiyana namaonero omunhu, nokuti munhu anotarisa munhu maziso, asi ini Tenzi ndinotarisa mumwoyo.” Jese akadaidza Abhinadhabhu akati apfuure napana Samueri. Samueri akati, “Kana naiyeyuwo Tenzi haana kumusarudza.” Jese akati Shama apfuurewo napo. Samueri akati, “Kunyangewo naiyeyu Tenzi haana kumusarudza.” Jese akati vana vake vakomana vose vari vanomwe vapfuure napaiva naSamueri. Asi Samueri akati kuna Jese, “Tenzi haana kumbosarudza ivava.” Samueri akazoti kuna Jese, “Vari pano ava ndivo vanakomana vako vose here?” Jese akapindurawo achiti, “Kune mumwe gotwe racho, asi zvino ari kufudza hwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tumai munhu andomutora nokuti hatimbogara pakudya asati asvika.” Nokudaro akatumira munhu akauya naye. Wakanga akati tsvukurukei aine maziso anoyevedza ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi ndokuti, “Simuka uzodze iyeyu ndiyeyu wacho.” Samueri akatora nyanga izere mafuta akamuzodza pakati pavakoma vake. Mweya waTenzi wakabvawo wauya zvine simba guru kwazvo pana Dhavhidhi kubvira musi iwoyo zvichienda mberi. Samueri akasimuka ndokudzokera zvake kuRama. Zvino Mweya waTenzi wakabva pana Sauro, ndokubva otambudzwa nomweya wakaipa wakabva kuna Tenzi. Varanda vaSauro vakati kwaari, “Chionaika pava nomweya wakabva kuna Mwari uri kukutambudzai. Changamire. Dai zvenyu mukati isu varanda venyu, iyesu vokukushandirai, tikutsvakirei munhu anonyatsogona kuridza dimbwa wokuti kana mweya wakaipa wakabva kuna Tenzi uchinge wauya pamuri apote achiriridza imi mova zvenyu nani.” Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei zvenyu munhu anonyatsogona kuridza wacho muuye naye kwandiri.” Mumwe muranda akapindura achiti, “Mufunge zvenyu, ndakaona mumwe mwanakomana waJese muBheterehemu shasha chaiyo yokuridza, munhu ane chivindi, mvumba chaiyo yokurwa hondo. Inyanzvi pakutaura, murume ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi anaye.” Naizvozvo Sauro akatumira nhume kuna vaJese achiti, “Nditumire kuno mwana wako mukomana ari kufudza hwai.” Jese akatora dhongi ndokuritakudza chingwa nechigubhu chewaini nembudzana, akati mwana wake Dhavhidhi aigire Sauro. Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akatanga kumushandira. Sauro akamuda kwazvo akabva ava munhu wokumutakurira zvombo zvake zvehondo. Sauro akatumira Jese shoko rokuti, “Regai zvenyu Dhavhidhi arambe achindishandira nokuti ini ndamuda.” Zvino kwaiti kana Sauro agarwa nomweya wakaipa uya waibva kuna Mwari, Dhavhidhi aitora dimbwa mumaoko oriridza, Sauro aibva afefeterwa omboita nani, mweya wakaipa uya wobva paari. VaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuSoko guta rokwaJudha kuti varwe hondo vakadzika matendhe pakati peSoko neAzeka muEfesidhamimu. Izvozvo Sauro akanga aunganawo navarwi veIsiraeri vadzikawo matendhe avo mubani reEra vatoronganirana kuchirwisa vaFirisitia. VaFirisitia vakanga vamire mugomo kune rumwe rutivi, vaIsiraeri vamirewo mugomo kune rumwewo rutivi bani riri pakati pavo. Zvino kumatendhe evaFirisitia, kwakabuda imwe shasha yokuGati yainzi Goriati yakanga yakareba mamita anenge oda kusvika matatu. Akanga akadzika nguwani yendarira mumusoro akapfeka chidemautare chendarira chokuzvidzivirira nacho chairema makirogiramu ainge oda kusvika makumi mashanu ana manomwe. Uyezve akanga ana mapatisi endarira pamipimbiri, akatanhika pfumo rendarira pamapfudzi. Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita somutandariko wechinoshandiswa nomuruki. Chese yesimbi yepfumo rake yairema makirogiramu manome. Mutakuri wenhoo yake aiva mberi kwake. Akamira akadaidzira kuhondo dzavaIsiraeri achiti, “Mavingei kutoronganirana hondo kudai? Hezvinoka ini ndiri muFirisitia, imi muri varanda vaSauro. Chizvisarudzirai munhu murege auye kuno kwandiri. Kana akagona kurwa neni akandiuraya, isu tichava varanda venyu. Asi ndikange ndamukurira, ndikamuuraya imi ndimi muchava varanda vedu vokutishandira.” MuFirisitia uyu ndokuti, “Nhasi ndiri kushora hondo dzavaIsiraeri. Ndipei munhu, ndirwe naye.” Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa izvi zvaitaurwa nomuFirisitia uyu vakakangaidzwa nazvo vakatya zvikuru. Dhavhidhi aiva mwanakomana womumwe muEfurati wokuBheterehemu kwaJudha ainzi Jese aiva navana vakomana vasere. Panguva dzaSauro, Jese uyu, akanga akwegura uye ava namakore akawanda. Asi vana vake, vakomana vakuru vatatu, ndivo vakaenda kuhondo naSauro. Mazita avana vavo vakomana vatatu vokuenda kuhondo ndeaya: kunoti Eriabhu, dangwe rake, achiteverwa naAbhinabhabhu, kwozoti Shama, ariye wechitatu. Dhavhidhi ndiye aiva gotwe. Vakuru vacho vatatu vaya vakaenda naSauro. Dhavhidhi aipota achibva kwaSauro achimbondofudza hwai dzababa vake kuBheterehemu. MuFirisitia uya akapedza mazuva makumi mana achiuya ipo paya kuzozvionesa mangwanani namanheru oga oga. Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Igira vakoma vako makirogiramu gumi embesanwa dzakakangwa idzi nezvingwa izvi gumi ukurumidze kuenda nazvo kumatendhe kuvakoma vako. Endawo nezvimedu izvi gumi zvechizi undopa mutungamiriri wavo wechiuru chavarwi. Enda undoona kuti vakoma vako vakadii, utivigirewo zvimwe zvinobva kwavari. Sauro navakoma vako navaIsiraeri vose vari kurwisana navaFirisitia kubani reEra izvozvi.” Dhavhidhi akafumomuka akasiya hwai dziine mumwe wokudzichengeta. Akatora mbuva iya woenda sokuudzwa kwaangakanga aitwa naJese. Akasvika pamatendhe izvozvo varwi vakanga vachitobuda vachienda kundoronganirana hondo, ngondo ichirira. VaIsiraeri navaFirisitia vakanga zvino vamirisana chikwata nechikwata chavarwi zvakatarisana. Dhavhidhi akasiya zvinhu zvake mumaoko omuchengeti wezvinhu, akamhanyira kwaiva navarwi akandobvunzana upenyu navakoma vake. Paaitaura kudaro murume uya, shasha yavaFirisitia yainzi Goriati, akabuda mukati mehondo yechiFirisitia ndokupamhidza kutaura twake twuya. Dhavhidhi ndokunzwa achitaura. Varwi vose zvavo veIsiraeri pavakamuona vakamutiza vachitya kwazvo. Varwi veIsiraeri vakataurirana vachiti, “Muri kuona here murume uyo? Uyu ndiye munhu ari kuzovirimira Isiraeri kwazvo. Munhu anenge amuuraya, mambo achamupa upfumi hwakawanda kwazvo nokumupawo mukunda wake. Achatiwo mhuri yokwake igare zvayo isina chainomanikidzwa kuita muIsiraeri.” Dhavhidhi akati kuvarume vaiva vamire naye, “Munhu anenge auraya muFirisitia uyu achibvisa nyadzi pavaIsiraeri achaitirweiko nokuti ndiani muFirisitia iyeyu asina zvake kudzingiswa anobva atodai kudhadhairira hondo yaMwari mupenyu?” Ivavowo vakamupindura zvimwechetezvo vakati, “Ndizvo zvichaitirwa anenge amuuraya.” Zvino paitaura Dhavhidhi navamwe varume vaya, mukoma wake mukuru Eriabhu akazvinzwa akamuvirukura nehasha achiti, “Ko wavingei kuno? Hwai dziya shoma wadzisiya nani musango ndinoziva kushaya matyira kwako nokuipa mwoyo kwako, izvozvi kuuya zvako kuzoyeva chete hondo iri kurwiwa.” Dhavhidhi akapindura achiti, “Ko zvino ndatadzei? Kazwi kamwechete chete kandati nditaure?” Akatendeuka kubva kuno uya obvunza mumwewo zvimwechetezvo, vanhu vakapindura zvimwechetezvo. Mazwi akataurwa naDhavhidhi paakanzwikwa navanhu vakaasvitsa kuna Sauro. Sauro ndokumutumira nhume kuti auye. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuwana munhu anorasa mwoyo pamusana pomunhu uyu. Ini muranda wenyu ndichaenda ndindorwisa muFirisitia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Haungakwanisi kundorwisana nomuFirisitia uyu. Uri mwana muduku iwe. Iye murume wezvokurwa chikuriro chake chose.” Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini muranda wenyu ndaimbova mufudzi wehwai dzababa vangu. Kwaiti kana kukauya bere kana shumba ikabata hwayana mudanga, ndaiironda ndigoiuraya ndichinunura hwayana yacho mukanwa mayo. Yaiti ikange yandimukira ndoiti hetu nendebvu dzayo ndoirova ndoiuraya. Ini muranda wenyu ndaiuraya zvose shumba kana bere, kana naiyeyuwo muFirisitia uyu asina kudzingiswa achavawo sezvikara izvozvo zvaari kutovirimira zvake hondo yaMwari mupenyu.” Dhavhidhi akati, “Tenzi nyakumbondinunura mukanwa meshumba nebere achandinunurawo mumaoko omuFirisitia iyeyu.”. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako Tenzi ngaave newe.” Sauro akapfekedza Dhavhidhi hanzu dzokurwisa nadzo dzake iye pachake. Akamupfekedza nguwani yendarira mumusoro akamupfekedzawo chidemautare chokuzvidzivirira nacho. Dhavhidhi akakwaikira bakatwa rake pahanzu dzake dzokurwisa nadzo. Dhavhidhi zvaakanga asina kujairirana nadzo akatadza kufamba nadzo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handikwanise kuenda nadzo nokuti handina kudzijaira.” Dhavhidhi akabva adzipfekenura. Akatora tsvimbo yake mumaoko ndokusarudza tunhombo twakaurungana tushanu mukakova ndokutuisa muhomwe yomunhava yake ndokunanairira muFirisitia uya aine chimviriri chake mumaoko. MuFirisitia uya akabva auya chaizvo kuna Dhavhidhi ikoko, wokumutakurira nhoo uya ari mberi kwake. MuFirisitia akatarisa akaona Dhavhidhi akamushora nokuti aingovawo zvake jaya rakatsvukuruka rine chimirowo zvacho chakanaka. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri mbwa here yaunouya wakabatira shamhu? MuFirisitia akarengerera achishurikidzira Dhavhidhi rushambwa runobva kuna vamwari vake.” MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Uya kwandiri! Nyama yako ndichaipa kushiri dzedenga nokumhuka dzesango.” Dhavhidhi ndokuti kumuFirisitia, “Iwe uri kundivinga nebakatwa nepfumo nemharu, asi ini ndiri kukuvinga muzita raTenzi Samasimbaose, Mwari wehondo dzavaIsiraeri waunoshora. Nhasi uno Tenzi achakuisa mumaoko angu, ndichakuuraya ndokudimura musoro. Iye nhasi uno wakare ndichapa zvitunha zvehondo yavaFirisitia kushiri dzedenga nokuzvikara zvapasi pano zvigozivikanwa pasi pose kuti muIsiraeri muna Mwari. Uyewo kuti gungano iri rose rizive kuti Tenzi haanunure vanhu nebakatwa kana nepfumo nokuti hondo iri mumaoko aTenzi. Atokuisai mumaoko medu.” MuFirisitia uyu akabva amuka wokanyaira kuvinga Dhavhidhi. Dhavhidhi akakasika akadididzawo kundosangana nomuFirisitia uya munhandare yokurwa. Dhavhidhi akapinza ruoko munhava yake akatora kanhombo akakavheyesa nechimviriri ndokukobora muFirisitia pahuma. Dombo ndokubva rati vido kunyura muhuma yake. MuFirisitia uya ndokubva awira pasi nouso. Dhavhidhi akakurira muFirisitia nechimviriri nekabwe; akakobora muFirisitia akamuuraya asi Dhavhidhi akanga asina bakatwa mumaoko. Dhavhidhi akamhanya akasvikomira pamuFirisitia uya ndokuti bakatwa raGoriati wee kuriburitsa mumuhara maro. Akamupupura ndokumudimura musoro naro. VaFirisitia pavakaona kuti shasha yavo yafa vakabva vati ware kutiza. Varwi vokwaIsiraeri novokwaJudha vakabva vanyandukawo vachiitawo ruzha vodzingirirana navaFirisitia kudzamara vava kuda kusvika kuguta uye kusuo guru reGati nereEkironi. Ruzhinji rwavaFirisitia rwakanga rwakuvara rwakaita murakatira kufa munzira kubvira kuSharaimu kusvikira kuGati neEkironi. VaIsiraeri pavakadzoka vabva kundodzingirira vaFirisitia vakapamba matendhe avo. Dhavhidhi akatora musoro womuFirisitia uyu akaenda nawo kuJerusaremu. Asi zvombo zvake akazviisa mutendhe rake. Sauro, paakaona Dhavhidhi achienda kundorwa nomuFirisitia uya akabvunza Abhuneru mutungamiriri mukuru wehondo kuti, “Nhai Abhuneru, mukomana uyu, mwana waani?” Abhuneru ndokuti, “Mambo! Ndinopika chaizvo, handimboziva ini!” Mambo akati, “Bvunza kuti jaya iri mwana waani.” Pakadzoka Dhavhidhi kundouraya muFirisitia uya, Abhuneru akamutora akaenda naye kuna Sauro, musoro womuFirisitia uri mumaoko ake. Sauro akamubvunza kuti, “Nhai zijaya, uri mwana wani?” Dhavhidhi akati, “Ndiri mwana womuranda wenyu Jese vokuBheterehemu.” Pakapedza Dhavhidhi kutaura naSauro, pakabva pamuka ushamwari chaihwoihwo hwapamwoyo pakati paJonatani naDhavhidhi. Jonatani akamuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Sauro akamutora zuva iroro akamurambidza kudzokera kumusha kwababa vake. Jonatani akaita chitsidzirano naDhavhidhi pamusana pokuti aimuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Jonatani akabvisa gemenzi rake raaiva akapfeka, akapa Dhavhidhi nechidemataure chokuzvidzivirira nacho muhondo kunyangewo nebakatwa rake nouta hwake nebhande rake. Dhavhidhi aibudirira kupi nokupi zvako kwaainge atumwa naSauro. Saurowo ndokubva amuita mutungamiriri wavarwi vehondo. Izvi zvakafadza vanhu vose namakurukota aSauro. Pavakanga vachidzokera kumusha, Dhavhidhi abva mukuuraya muFirisitia uya, vakadzi vakabuda mumaguta ose eIsiraeri vachiimba vaine vamwe vaitamba kuzochingura mambo Sauro vaine ngoma, vachipembera kufara vaine zvimwewo zvairidzwa. Vakadzi ava vachidairana vachipembera kufara vachiti, “Sauro wakauraya zviuru asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru.” Izvi hazvina kufadza Sauro, akatsamwa kwazvo nezvaitaurwa. Akati, “Heya vava kutopa zvavo Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru nhai? Ini vachindipa zviuru chete? Chavasara kumupa zvino ipapa chii, umamboka chete?” Kubvira musi iwoyo Sauro akabva avakuitira Dhavhidhi shanje. Ramangwana racho mweya wakaipa wakabva kuna Mwari ukawira Sauro ukamupengesa mumba make imomo. Dhavhidhi akanga achiridza dimbwa samazuva ose, izvozvo Sauro pfumo riri mumaoko. Sauro akakanda Dhavhidhi pfumo achiti regai ndimubayirire naro kumadziro, Dhavhidhi akaita zvokurinzvenga ruviri rwose. Sauro akanga ava kutya Dhavhidhi nokuti Tenzi akanga aina Dhavhidhi, asiya Sauro. Nokudaro Sauro akaendesa Dhavhidhi kure naye akamuita mutungamiriri wechiuru. Dhavhidhi ndiye aitungamirira vanhu vacho. Aibudirira mune zvose zvaaiita nokuti Tenzi aiva naye. Sauro paakaona kuti Dhavhidhi ari kubudirira zvikuru kwazvo, akamutya. Asi vaIsiraeri vose novokwaJudha vaimuda nokuti aivatungamirira. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Chinzwa, pane mukunda wangu Merabhu ndichakupa zvangu kuti ave mukadzi wako, ndokunge chete waita chivindi chokundirwirira hondo dzaTenzi,” nokuti Sauro aiti, “Chiregai ini ndirege kubata ropa rake achiurayiwa zvake navaFirisitia.” Dhavhidhi akapindurawo Sauro achiti, “Ndiri aniwo zvangu ini kana iyowo mhuri yedu nemba yokwababa wangu muIsiraeri kuti ndinziwo mukuwasha wamambo?” Asi panguva yainge Merabhu, mukunda waSauro aifanira kupiwa kuna Dhavhidhi akabva apiwa kuna Adhirieri muMehorati kuti ave mukadzi wake. Mikari mukunda waSauro akadanana naDhavhidhi vanhu vakazvisvitsawo kuna Sauro, akafadzwa nazvo. Sauro akazviti mumwoyo, “Regai ndichimupa zvangu iyeyu. Ndiye wondomuteya naye kuitira kuti aurayiwe navaFirisitia.” Naizvozvo Sauro akataurira Dhavhidhi rwechipiri kuti, “Zvazvinoka, wochiva zvako mukuwasha wangu.” Sauro akasimbisa kurayira makurukota ake achiti, “Taurirai Dhavhidhi muchivande kuti, ‘Onaka iwe, mambo ari kufadzwa newe, uye makurukota ake ose anokuda. Zvino chiva zvako mukuwasha wamambo.’ ” Makurukota aSauro akataurira Dhavhidhi shoko iri. Dhavhidhi akati, “Heya munoti chinhu chidiki kuva mukuwasha wamambo nhai, pangu panowo iyeni murombo ndakadai?” Makurukota aSauro akamutaurira kuti, “Ndozviri kutaurwa naDhavhidhi izvi.” Sauro ndokuti, “Zvamuchaudza Dhavhidhi ndezvizvi, ‘Mambo haana mhosva zvake nezvokusweropiwa roora. Chaanongoda chete kupiwa zana rezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia kuti atsividze vavengi vake.’ ” Chaivavarirwa naSauro chaicho, chaiva chokuti aurayise Dhavhidhi navaFirisitia. Makurukota ake paakataurira Dhavhidhi shoko iri Dhavhidhi akafadzwa nazvo kuti avewo mukuwasha wamambo. Nguva yakanga yatemwa isati yambopera, Dhavhidhi navarwi vake vakasimuka vakaenda vakandouraya vaFirisitia mazana maviri. Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi zvikapiwa kuna mambo zviri zvose zvazvo kuitira kuti ave mukuwasha wamambo. Sauro akamupa Mikari mukunda wake kuti ave mukadzi wake. Asi Sauro paakaona nokunzwa kuti Tenzi ana Dhavhidhi, kuti Isiraeri yose yaimuda, Sauro akatonyanya kutya Dhavhidhi. Naizvozvo Sauro akaramba ava muvengi waDhavhidhi. Vatungamiriri vehondo dzavaFirisitia vaiuya kuhondo, pose pavaiendako Dhavhidhi ndiye aibudirira zvakanyanya kupfuura vamwe vatungamiriri vose vokwaSauro zita rake rikava nomukurumbira kwazvo. Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani namakurukota ake ose kuti vanofanira kuuraya Dhavhidhi. Asi Jonatani, mwana wake aifarira Dhavhidhi kwazvo. Jonatani akanyevera Dhavhidhi kuti, “Baba vangu, Sauro vanoda kukuuraya. Saka iwe uzozvichenjerera mangwanani undohwanda pamwe pausingaonekwe, ugarepo. Ini ndichabuda ndigoenda kundomira zvangu nababa wangu mumunda maunenge uri. Ndichakurukura nababa vangu nezvako, kana paine chandinenge ndanzwa ndichakutaurira.” Jonatani akakurukura nababa wake Sauro achirumbidza Dhavhidhi achiti kwavari, “Dai mambo marega zvenyu kukanganisira muranda wenyu Dhavhidhi nokuti iye haana kumbokutadzirai, uyewo nokuti zvaanga achikuitirai, zvakanaka kwazvo. Chandinodariro ndechokuti akaisa upenyu hwake munjonzi yorufu akauraya muFirisitia uya, Tenzi akanunura chaizvo Isiraeri yose. Inga imi makazvionawo wani mukapembera kufara. Seiko muchida kutadzira munhu asina mhosva, muchida kuuraya Dhavhidhi pasina chikonzero?” Sauro akateerera zvaitaurwa naJonatani akabva apika achiti, “NaTenzi mupenyu chaiye, haambofa akaurayiwa.” Jonatani akadaidza Dhavhidhi akamutaurira zvose izvozvi. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, Dhavhidhi akamushandira sezvaasiita. Kwakamuka zvakare imwe hondo, Dhavhidhi akaenda akandorwa navaFirisitia akauraya vakawanda kwazvo pakati pavo vamwe vakadzvamuka kumutiza. Mweya wakaipa wakabva kuna Tenzi wakauya pana Sauro agere mumba make pfumo rake riri mumaoko, Dhavhidhi achiridza zvake dimbwa. Sauro akati regai ndibayirire Dhavhidhi kumadziro nepfumo. Asi Dhavhidhi akanzvenga Sauro akandobayirira pfumo rake kumadziro, Dhavhidhi akatiza akapunyuka. Sauro akatumira vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vamugarire vazomuuraya mangwanani acho. Zvino mukadzi waDhavhdhi, Mikari akamubayira zani achiti, “Kana ukarega kuzviponesa zvako usiku hwanhasi, mangwana uri kuurayiwa.” Mikari akaburitsa Dhavhidhi napahwindo ndokubva atiza akapunyuka. Mikari akatora chifananidzo akachirarisa pamubhedha akaisa chichira chemvere dzembudzi kumusoro kwacho akachifugidza nejira. Sauro paakatuma vanhu kuzobata Dhavhidhi Mikari akati, “Ari kurwara.” Sauro akadzosera vanhu ivava kundoona Dhavhidhi achiti, “Uyai naye kwandiri ari pamubhedha ipapo, ndimuuraye.” Kuzoti vanhu vaya vasvikako wanei chifananidzo ndochiri pamubhedha nechichira chemvere dzembudzi chiri kumusoro. Sauro akabvunza Mikari kuti, “Wandinyengedzerei kudai kurega zvako muvengi wangu achipunyuka?” Mikari akapindura Sauro achiti, “Aiwa, iye akanditi, ‘Chitondirega ndiende, ungapafe pano.’ ” Dhavhidhi akatiza akapunyuka akasvika kuna Samueri kuRama, akamurondedzera zvose zvaakaitirwa naSauro. Iye naSamueri vakaenda kundogara zvavo kuNaioti. Shoko rakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi ari paNaioti kuRama. Sauro ndokutuma nhume kundobata Dhavhidhi. Asi pavakasvikoona boka ravaporofita richiporofita, richitungamirirwa naSamueri akanga amirepo, Mweya waMwari wakauyawo panhumwa dzaSauro dziya dzikabva dzaporofitawo. Shoko irori parakasvika kuna Sauro, akatumirazve dzimwe nhumwa ikoko, naidzowo dzakasvikowirawo mukuporofita. Sauro akatumirako dzimwe nhumwa rwechitatu ivowo vakasvikowirawo mukuporofita. Akazoenda iye pachake kuRama ikoko. Akasvika patsime guru kwaSeku akabvunza kuti, “Samueri naDhavhidhi vari kupi?” Mumwewo akati, “Vari paNaioti kuRama uku.” Naizvozvo akabvapo ndokuenda kuNaioti kuRama. Mweya waMwari wakauyawo paari akafamba nzira yose achiporofita kudzamara asvika paNaioti kuRama. Iye akakatanurawo hanzu dzake, akaporofitawo ari paiva naSamueri, akanga akati umburu kurara asina chaakapfeka muswere wose wezuva nousiku hwose. Ndokusaka kune tsumo inoti, “Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?” Dhavhidhi akatiza kuNaioti kuRama akaenda kuna Jonatani akandoti, “Chandakaita chaizvo chii? Chandakakanganisa chii? Mhosva yandakapara nababa vako ndeyei zvavanototsvaka kundiuraya kudai?” Iye akamupindura achiti, “Hazvimboitika! Haumbofa. Inzwa unzwe, baba vangu hapana chinhu chavanondivanzira kana kai zvako. Vangazondivanzira izvozvi kuti kwauyei? Hazviitike izvo.” Asi akasimbisisa zvakare achiti, “Baba vako vakanyatsozviona kuti iwe unondida. Saka ivo vanototi, ‘Dai Jonatani akarega kuzviziva nokuti zvingamushungurudze kwazvo. Chaizvo naTenzi mupenyu kana newe uri kutozvionawo kuti upenyu hwangu huri parumano.’ ” Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Chose chaunenge wandikumbira ndichakuitira.” Dhavhidhi akati kuna Jonatani, “Unoona, mangwana kugara kwomwedzi, izuva guru randinofanira kunge ndigere pakudya namambo. Zvino chirega ini ndiende kundohwanda zvangu mumunda kusvikira zuva retatu mauro. Kana baba vako vakazviona chaizvo kuti handipo, wovataurira kuti, ‘Dhavhidhi andikumbirisa chaizvo kuti ambomhanyira kuBheterehemu kuguta rokwake nokuti kuri kuitwa chibayiro chavo chomusha wose chepagore,’ kana vakati, zvakanaka, zvinenge zvatondinakirawo ini, muranda wenyu. Asi kana zvikavavirutsa nehasha, wobva watoziva zvako kuti rokuda kundiparadza riya vanaro mumwoyo. Ndiitirewo mwoyochena ini muranda wenyu nokuti wakandisvitsa pakuitirana newe chitsidzirano pana Tenzi. Asi kana ini ndiine mhosva chisva wandiuraya iyewe, nokuti chii chaungandiisira mumaoko ababa vako?” Jonatani akati, “Hazvimboitika kwauri izvo! Dai ndichinyatsoziva chaizvo kuti baba vangu vari kuda kukuparadza, ndairega here ini kukutaurira.” Dhavhidhi akati kuna Jonatani, “Kana baba vako vakakujinyura, ndiani achazondiudzawo izvozvo?” Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Handei zvedu mumunda.” Vose vari vaviri vakaenda zvavo musango. Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “NaTenzi chaiye Mwari wavaIsiraeri, kana baba vangu ndichinge ndavanzwa iyo nguva ino iyi, mangwana kana kuti pazuva retatu handimborega kukutaurira. Kana baba vangu vachinge vachida kukuparadza, ini ndikarega kukutaurira kuitira kuti iwe uende zvako usina chinokuwana, Tenzi ngaandione iyeni Jonatani ndiwirwe zvangu nezvimwe zvikuru kwazvo. Tenzi ngaave newe sezvaaiva nababa vangu. Ndiitire mwoyochena waTenzi ndichiri mupenyu uye ndafa usasudurukane nemhuri yangu narini wose, kunyangewo panenge Tenzi oparadza vavengi vose vako iwe Dhavhidhi pasi pano zita raJonatani ngarirege kupfudzwa kumba yaDhavhidhi uye kuti Tenzi ngaatsividze vavengi vaDhavhidhi.” Jonatani akaita kuti Dhavhidhi amutsurudze chitsidzirano chake naye pamusana pokuti iye Jonatani aimuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Jonatani akati kwaari, “Mangwana kugara kwemwedzi izuva guru asi zvichaoneka kuti iwe haupo nokuti chigaro chako chinenge chisina munhu. Ko kutozoti pazuva retatu racho, wotoita zvokukurumidza zvako kundohwanda kwacho uende panzvimbo paya pawakambohwanda pakambomuka nyaya iyoyi urambe uri kuseri kwedombo reEzeri. Ndichapfura nouta miseve mitatu ndakananga kune rumwe rutivi rwaro ndichinge ndine chandakananga. Chinzwaka, ndichatuma mumwe mukomana ndichiti, ‘Enda kundotsvaka miseve yacho.’ Ndikamutaurira chaizvo kuti, ‘Iwe, miseve iri kurutivi uku, itore,’ iwewo wouya zvako nokuti naTenzi mupenyu chaizvo, hakuna chichange chichakuwana, unenge uri muchete. Asi kana ndikati kumukomana wacho, ‘Iwe, miseve iri mberi uko,’ iwewo pakadaro apo, ibva waenda zvako, nokuti Tenzi anenge achikuti uende zvako. Kana zviri zvenyaya yatakurukurirana iyi, chinzwaka, Tenzi anesu narini wose.” Nokudaro Dhavhidhi akandohwanda mumunda. Zuva riya rokugara kwomwedzi rakasvika, mambo ndokugara zvake pakudya. Mambo akagara pachigaro chake sezvaaisiita, pachigaro chake chokumadziro. Jonatani akagara pakatarisana naye, Abhuneru akagara parutivi rwaSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. Kunyange zvakanga zvakadaro Sauro haana chaakataura zuva iroro, nokuti akangotiwo, “Hamheno zvaitika kwaari, akan'ora, kun'ora chete uku.” Asi zuva rechipiri rokunge mwedzi wagara, nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. Sauro akati kuna Jonatani mwana wake, “Seiko uyu mwanakomana waJese asina kuuya kuzodya nezuro kana nhasi?” Jonatani akapindura Sauro achiti, “Dhavhidhi akandikumbirisa kwazvo kuti ndimurege aendewo kuBheterehemu. Akati ‘Ndapota ndiregei ndiendeko nokuti vomumusha medu vari kuita chibayiro muguta imomo. Uyewo mukoma wangu pachake ndiye anditi ndinofanira kuendawoko. Kana muchida zvenyu, ndapota ndiregei zvangu ndiende kundoona vakoma vangu.’ Ndokusakawo asina kuuya kuzodya namambo.” Sauro akavirukira Jonatani nehasha akati kwaari “Tsvuuramuromo, mhandupandu yomwana. Unoti handizvizive nhai kuti wapfekwa chaizvo nomwana waJese iwe zvinonyadzisa kwazvo zvinotofumurisa amai vako chaivo vokukubereka? Hauone here kuti kana mwana waJese uyu ari mupenyu pasi pano, iwe noumambo hwako haumbofa hwakadzika midzi, kana iwe pakopo haumbofa wakahunhuhwa. Chitobva watomutumira vanhu vauye naye kwandiri chake chete rufu.” Jonatani akapindura baba wake Sauro achiti, “Chaanourayirwa chaicho chii? Chii chaakapara?” Asi Sauro akamuregedzera pfumo zvokutoda kumupfuudza zviya. Iyewo Jonatani ndokubva aziva kuti baba wake vatsunga mwoyo kuponda Dhavhidhi. Jonatani akabva apomoka pakudya, apaka chaizvo kushatirwa, ndokubva aramwa zvokudya zuva rechipiri iroro rokugara kwemwedzi nokuti akanga arwadziwa mwoyo nezvaDhavhidhi, uyewo nokuti baba wake akanga amunyadzisa. Mangwana acho mangwanani, Jonatani akaenda mumunda muya kwavakanga varangana kusangana naDhavhidhi aine kamwe kakomana. Akataurira kakomana kake kaya kuti, “Mhanyira kundononga miseve yandichakanda.” Kakomana aka pakakanga kakumhanya akakanda museve mberi kwako. Kakomana pakakasvika kwakanga kwawira museve wakanga wakandwa naJonatani, Jonatani akadaidzira kukakomana aka achiti, “Inga wani museve wacho uri mberi kwako uko?” Jonatani akadaidzira kukakomana kaya achiti, “Ita zvokukurumidza, kasika! Rega kuramba wakangoti tumbi ipapo.” Kakomana kaJonatani kaya kakabvawo kanonga miseve iya ndokudzokera kuna vatenzi vako. Asi kakomana ikaka hakana zvakakanga kachiziva, Jonatani naDhavhidhi chete ndovakanga vaine zvavaiziva. Jonatani akapa kakomana aka zvombo zvake, akati kwakari, “Takura izvi uende nazvo kuguta.” Pakangoti kakomana aka endei, Dhavhidhi ndokubva akwanyanukawo kuchamhembe kwedombo riya ndokusvikoti pasi gwadagwa, akatsikitsira uso ndokumukotamira katatu. Vakatsvodana vakahwihwidza kuchema. Dhavhidhi akachema zvakanyanya kwazvo. Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Ufambe zvakanaka, maererano nokutsidzirana kwatakaita muzita raTenzi tichiti, ‘Tenzi ngaave nesu pauviri hwedu, avewo nezvizvarwa zvedu narini narini.’ ” Dhavhidhi akasimuka ndokuenda, Jonatani ndokudzokera zvake kuguta. Dhavhidhi akasvika kuNobhu kumupristi Ahimereki. Ahimereki akachingurana naDhavhidhi achidedereswa nazvo, akati kwaari, “Zvaita seiko kuuya uri woga woga kudai usina nomumwe wose wawauya naye?” Dhavhidhi akapindura mupristi Ahimereki achiti, “Pane zvandinazvo zvandatsindidzwa namambo. Vanditi, ‘Rega zvako kuwana waunotaurira kana kai zvako pane zvandakutuma kundoita.’ Ndaronga kuti ndionane namamwe majaya kune imwewo nzvimbo. Ko zvino imi mune chokubatawo here pano apa? Ndipeiwo zvingwa zvishanu kana chimwewo chokudya chamunacho pano?” Mupristi uyu akapindura Dhavhidhi achiti, “Chingwa zvacho handina, asi ndine chingwa chinoera chete, ndokungewo majaya enyu acho anga achizvibata asingapinde mumba navakadzi.” Dhavhidhi akapindurawo mupristi kuti, “Ichokwadi kuti zvavakadzi izvo hatina kuzvibvumirwa semhiko yedu yatinochengeta nguva dzose patinenge toda kuenda kundorwa. Havazvin'oresewo muviri, kunyange parwendo runenge ruri rwendowo zvarwo. Ndoda kutozoti rwendo runo uru havana kumbozvin'oresa miviri.” Naizvozvo mupristi uyu akamupa chingwa chinoera zvapakanga pasina chimwe chingwawo zvacho kuchingova chete nechingwa chapana Mwari, chaiti kana chabviswa pana Tenzi chobva chatsiviwawo nechimwe chingwa chinenge chichiri kudziya musi wakareyo wachabviswa. Musi iwoyo paiva nomumwe muranda waSauro akanga aine chokuita pana Tenzi. Ainzi Dhoegi muEdhomu ariye mukuru wavafudzi vokwaSauro. Dhavhidhi akati kuna vaAhimereki, “Ko mune pfumowo here kana bakatwa, nokuti ini handina kumbouya nebakatwa rangu kana nechimwe chombo zvacho nokuti zvandatumwa namambo ndezvechimbichimbi?” Mupristi ndokuti, “Panongova nebakatwa raGoriati muFirisitia wavakauraya uya kubani reEra, ndoriri pano rakaita zvokuputirwa mujira, riri kuseri kweefodhi. Kana uchida kutora iroro, tora zvako nokuti hakuna chimwe chandinacho pano, kusiya iroro.” Dhavhidhi akati, “Hakuna rimwe rakaita sairoro, ndipei zvenyu iroro.” Nokudaro Dhavhidhi akasimudzira rwendo rwake musi iwoyo rwokutiza Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo wokuGati. Asi makurukota aiye Akishi akati, “Haasiri iye here Dhavhidhi mambo wenyika iya uyu? Haasiye here wavanoimba vachitamba vachiti, “Sauro wakauraya zviuru. Asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru?” Mazwi aya akarovesa hana Dhavhidhi akabva ava kutya kwazvo Akishi mambo weGati. Nokudaro akabva apindura maitiro ake woita zvake somunhu anopenga vachitoita wokutobata. Akamara-mara magonhi esuo guru, achirwedza rute pandebvu dzake. Akishi ndokuti kumakurukota ake, “Inga muri kuzvionawo kuti munhu uyu, munhu anopenga uyu, zvino chamauyira naye kwandiri chii? Manzwa kuti ndine nhamo yevanhu vanopenga here zvamauya naye kuzondiitira musara wake pano? Izvozvi muri kuda kuti iyeyu apinde mumba mangu nhai?” Dhavhidhi akabva ipapo ndokutizira kubako raAdhuramu. Kuzoti vakoma vake nemhuri yose yokwababa vake vazvinzwa vakadzika ikoko kwaaiva. Munhu wose akanga akasuwa naakanga ari muchikwereti naakanga asingagutsikane noupenyu vakandounganidzana kwaari, akabva ava mutungamiri wavo. Aiva navarume vanoda kukwana makumi mana. Dhavhidhi akabvapo akaenda kuMizipe yokuMoabhu. Akati kuna mambo weMoabhu, “Ndinokumbira kuti mundichengeterewo baba vangu naamai vangu kusvikira ndaona zvandichaitirwa naMwari?” Akavaitira musha kwamambo weMoabhu, vakagarako naye nguva yose yakanga iye Dhavhidhi achigara mubako. Asi muporofita Gadhi akataurira Dhavhidhi kuti, “Chirega kunge ucharamba ugere mubako iri. Ibva zvako pano uende kunyika yokwaJudha.” Saka Dhavhidhi akabvapo ndokuenda kusango reHereti. Shoko rakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi pamwechete navanhu vake vaaiva navo vava kuzikanwa kwavari. Izvozvo Sauro aigara kuGibhea pamuti womutamarisiki, pfumo riri mumaoko, akakutwa namakurukota ake ose. Sauro akati kumakurukota ake aya akanga akamukuta, “Teererai munzwe imi vaBhenjamini! Heya munoti, iye mwanakomana waJese angabva akutii mose mukwane minda nemimwewo yemigirepisi nhai? Munofunga kuti achakupai mose zvigaro zvokutungamirira zvikwata zvezviuru nezvikwata zvamazana here, zvamadai kundimukira mose? Hezvi mwanakomana wangu anoita bangano nomwanakomana waJese, hapana kana mumwechete wenyu anondiudza. Hakuna ane hanya neni, kana anondirumawo nzeve kuti mwana wangu akasoka gurukota rangu zano rokundihwandira zviripo nhasi izvi!” Dhoegi muEdhomu akanga amirewo namakurukota aSauro akapindura achiti, “Ndakaona mwanakomana waJese achisvika kuNobhu kwaAhimereki mwanakomana waAhitubhu. Abhimereki akamunzwira kuna Tenzi akamupa chokudya ndokumupawo bakatwa raGoriati muFirisitia.” Mambo akatumira vanhu kundodaidza mupristi Ahimereki mwanakomana waAhitubhu pamwechete nevemhuri yokwababa vake vose vaiva vapristi kuNobhu, vose ndokubva vauya kwamambo. Sauro akati, “Imi mwana waAhitubhu chimbonzwai!” Ahimereki akati, “Ndokuno changamire.” Sauro ndokuti kwaari, “Ko iyemi mapindwa neiko kutoita zvenyu bangano rokundimukira nomwana waJese, zvokutosvika zvenyu pakumupa chingwa nebakatwa nokutomunzwira zvenyu kuna Mwari mamiriro ezvinhu, zvava kutomupa nhasi kundipandukira nokutondihwandira.” Ahimereki akapindura mambo achiti, “Pamakurukota enyu ose zvawo ndiani akatendeka saDhavhidhi, anotova mukuwasha wenyu imi mambo, mukuru mukuru wavanokuchengetedzai, anoremekedzwa kwazvo mumuzinda menyu? Ko iye nhasi ndopandatanga here kunzwira Dhavhidhi zvinhu kuna Mwari? Aiwaka! Regai zvenyu kundipa mhosva ini muranda wenyu kana kupa mhosva vose vemhuri yekwababa vangu nokuti hapana kana kai zvako kandiri kuziva panyaya iyi.” Mambo akati, “Ahimereki unotofa chete iwewe nevemhuri yokwababa vako vose.” Mambo ndokuti kune vokumuchengetedza vakanga vakamukuta vaya, “Navoi vapristi vaTenzi ava, vaurayei nokuti naivowo vane rimwe naDhavhidhi vakatozviziva zvavo kuti ari kutiza asi zvokuti vasvitsewo shoko irori munzeve dzangu havana.” Asi makurukota ake iye mambo zvakavapata mumwoyo kuti vasimudze ruoko kuuraya vapristi vaTenzi. Mambo ndokuti kuna Dhoegi, “Zvino iwe chiita izvozvi uraya vapristi ava.” Dhoegi muEdhomu akabva angotiwo navo vapristi kuuraya. Musi iwoyo akauraya makumi masere avarume, navarume vashanu vapfeki veefodhi dzerineni. Kozotiwo Nobhu, guta ravapristi, akaripedza namapakatwa kubvira kuvarume kusvikira kuvakadzi navana pamwechete navachiri kuyamwa nemombe namadhongi nehwai nembudzi. Akazvipedza namapakatwa. Asi mumwe mwana waAhimereki mukomana ainzi Abhiatari akapunyuka akatizira kuna Dhavhidhi. Abhiatari akataurira Dhavhidhi kuti, “Sauro akauraya vapristi vaTenzi.” Dhavhidhi akati kuna Abhiatari, “Ndakazviziva zvangu musi iwo uya pandakaona Dhoegi ariko kuti achaudza chete Sauro. Ndini ndakaurayisa vanhu vose vemhuri yokwababa vako. Chigara zvako neni, usatye nokuti mumwecheteyo ari kutsvaka zvokundiuraya ndiye ari kutsvaka zvokukuurayawo, uri mumaoko angu unotonyatsochengeteka.” Pane vamwe vakataurira Dhavhidhi kuti, “Zvinhu zviri kuguta reKeira ndezvokuti vaFirisitia vari kurirwisa vachipamba zviri pamaburiro.” Naizvozvo Dhavhidhi akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFirisitia?” Tenzi akati kuna Dhavhidhi, “Vinga vaFirisitia uvarwise ununure Keira.” Asi varume vaiva naDhavhidhi vakamuti, “Tarisai muone kuhuta kwatiri kuita kutya tiri makare muno maJudha, ko kutozoti tikaenda kuKeira kundorwisa hondo dzavaFirisitia?” Dhavhidhi akadazve kunzwa kuti Tenzi anoti kudii. Tenzi ndokumupindura achiti, “Simuka udzike kuKeira nokuti ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.” Saka Dhavhidhi navarume vaaiva navo, vakadzika kuKeira, vakarwisa vaFirisitia vakapamba mombe dzavo vakauraya vanhu vazhinji kwazvo pakati pavo. Nokudaro Dhavhidhi akanunura vagari vokuKeira. Abhiatari mwana uya waAhimereki paakandopotera kuna Dhavhidhi kuKeira akaendako aine hanzu yeefodhi mumaoko. Shoko rakazosvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi ava muKeira. Sauro ndokuti, “Zvino Mwari amuisa mumaoko mangu. Kupinda kwaaita muguta rine misuo mikuru ine zvihuri kutozvipfigira kwaaita ikoko.” Sauro akabva akokera vanhu vose kuhondo kuti vadzike kuKeira kundoita zvokundokomberana kwazvo Dhavhidhi navarume vaaiva navo. Dhavhidhi akazviziva kuti pane chiri kurongwa naSauro chakaipa chaari kuda kuita kwaari ndokuti kuno mupristi Abhiatari, “Uyai neefodhi kuno.” Dhavhidhi akati, “Tenzi Mwari weIsiraeri ini muranda wenyu ndanyatsozvinzwa kuti Sauro ari kuronga zvokuuya kuKeira kuzoparadza guta irori pamusana pangu. Ko varume vomuKeira vachandiisa here mumaoko ake? Sauro achadzikawo here kuno sokunzwa kwandakaita ini muranda wenyu? Ndinokukumbirisai Tenzi Mwari weIsiraeri kuti munditaurirewo.” Tenzi akati, “Ee achadzikako.” Dhavhidhi ndokuti, “Ko varume vomuKeira vachanditurira here mumaoko aSauro, ini navanhu ava vandinavo?” Tenzi akati, “Ee vachakuisa mumaoko ake.” Dhavhidhi navarume vaikarosvika mazana matanhatu vaaiva navo vakasimuka vakaenda kwose kwose kwavainge vangokwanisa kuenda. Sauro paakanzwa kuti Dhavhidhi atiza kuKeira akabva arega kuendako. Dhavhidhi akabva ava kugara murenje, mumapako munyika yamakomo kurenje reZifu. Izvozvo Sauro aingunomuvhima zuva nezuva, asi Mwari haana kumuisa mumaoko ake. Dhavhidhi akazviona kuti Sauro ari kutsvaka kumuuraya. Izvozvo Dhavhidhi aiva zvake kurenje reZifu paHoreshi. Jonatani, mwana waSauro akasimuka akaenda kuna Dhavhidhi kuHoreshi, akamusimbisa muna Mwari. Akamuti, “Usatye zvako nokuti baba vangu havambofa vakakunonga. Iwe ndiwe uchatova mambo weIsiraeri iniwo ndiri mutevedzeri wako. Baba vangu Sauro vanotozvizivawo.” Pauviri hwavo kudaro vakaita chitsidzirano pana Tenzi. Dhavhidhi akasara kuHoreshi, Jonatani akaenda zvake kumusha. Kune vamwe vanhu vokuZifu vakaenda kuna Sauro kuGibhea vakati, “Ko inga iye Dhavhidhi ariko wani kwedu uku kwaari kuhwanda zvake mumapako kuHoreshi muchikomo cheHakira chiri kuchamhembe kweJeshimoni? Ko zvino manga madii zvenyu kuuyako nhai mambo chero pamunenge madira kuuya. Chedu isu kunezenge kwangova kumuisa mumaoko enyu mambo.” Sauro akati, “Tenzi ngaakukomborerei nokuti ndimi vanhu vazondiitirawo tsiye nyoro. Chiendai mundonyatsotarisa muone chaipo paanohwanda mupazive, muzivewo nyakumuonapo wacho nokuti zvinonzi Dhavhidhi akasvinuka kwazvo. Naizvozvo imika monyatsocherechedzawo kwose kwaanohwanda, mudzoke kwandiri mava kunyatsozviziva. Ndipo pandichazoendawo nemi, kana iye achinge ari mudunhu iroro, ndichamuvhima mumhuri dzose dzokwaJudha ndikamunonga chete.” Ivava vakabva pana Sauro vakasimuka vakafanoenda kuZifu. Izvozvo Dhavhidhi navarume vaaiva navo vakanga vari kurenje reMaoni, kuArabha, kuchamhembe kweJeshimoni. Sauro navarume vaaiva navo vakaenda kundomuvhima. Vamwewo ndokunyevera Dhavhidhi, iye ndokubva adzika kumangondo kurenje reMaoni. Shoko iri parakasvika munzeve dzaSauro, akabva aronda Dhavhidhi kurenje reMaoni ikoko. Sauro akaenda nokune rimwe divi regomo, uyuwo Dhavhidhi ari kune rimwe diviwo regomo iroro. Pakanga Dhavhidhi ari mushishi rokutiza Sauro, Sauro navanhu vake vakanga zvino vakwinyirirawo kubata Dhavhidhi navanhu vake. Ndopakabva pasvikawo nhumwa kuna Sauro dzichiti, “Chitokurumidzai zvenyu kudzoka. Uku nyika yapindwa nevaFirisitia.” Sauro akabva adzoka mukuronda Dhavhidhi ovinga vaFirisitia. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, “Chikomochopatsana.” Dhavhidhi akakwidza obva ipapo akandogara kumapako okuEnigedhi. Sauro akati adzoka mukuronda vaFirisitia shoko rakasvika kwaari raiti, “Dhavhidhi ari kurenje reEnigedhi uku.” Sauro akatora zviuru zvitatu zvavarume vano, vakanyatsosarudzwa muIsiraeri yose, ndokuenda kundotsvaka Dhavhidhi navanhu vake kwakatarisana namatombo engururu. Sauro akasvika napamatanga ehwai aiva pedyo nenzira paiva nebako. Sauro akapindamo kuti ambozvibatsira zvake. Izvozvo Dhavhidhi navanhu vake vaitova zvavo mukatikati chaimo mebako. Vanhu vake iye Dhavhidhi vakamuti, “Zuva riya riya razosvika nhasi rakanzi naTenzi, ‘Ndichaisa muvengi wako mumaoko ako ugoita zvako zvaungade kuita naye.’ ” Dhavhidhi akaverevedza akacheka chipenga chehanzu yaSauro. Hana yaDhavhidhi yakarova nokucheka kwaakanga aita chipenga chehanzu yaSauro. Akati kuvanhu vake, “Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudze ruoko rwangu kuita chinhu chakaipa kuna tenzi wangu, muzodzwa waTenzi. Kwete. Muzodzwaka waTenzi uyu.” Dhavhidhi akadzora vanhu vake namazwi iwaya akavarambidza kurwisa Sauro. Sauro akasimuka akabuda mubako muya oenda zvake. Mushure macho Dhavhidhi akabudawo mubako muya akadaidzira kuna Sauro achiti, “Nhai mambo, changamire!” Sauro paakati cheu, Dhavhidhi akabva azvityora achikotamira pasi kumuremekedza. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Munodirei kunzwa zvavanhu vanoti, ‘Dhavhidhi ari kuvavarira kukukuvadzai.’ Nhasi mazvionerawo moga kuti Tenzi anga atokuisai zvake mumaoko angu mubako umu, vamwe vanga vatoti ndikuurayei asi handina kukukuvadzai ndichiti, ‘Handidi kusimudza ruoko rwangu kuita chinhu chisina kunaka kuna tenzi wangu, nokuti muri muzodzwa waTenzi.’ Chinzwaika baba, tarisai muone chipenga chehanzu yenyu ichi chandakabata mumaoko. Nokucheka kwandaita chipenga chehanzu yenyu ichochi ndichirega zvangu kukuurayai muri kutoonawo zvinonyatsokuratidzai kuti hapana chakaipa kana upanduki mandiri, uye hapana chandakakutadzirai kunyange zvazvo imi muchindihwandira kuda kundiuraya. Mhosva iri pakati pangu nemi, Tenzi ndiye achatoziva zvake kuitonga kwaachaiita. Tenzi ndiye achatotsividza kunditadzira kwamakaita. Asi ini nouruoko rwangu urwu handidi zvangu kana kumbokubatai. Inga wani vakuru vane tsumo inoti, ‘Mumunhu akaipa munobuda uipi,’ asi ini noruoko rwangu urwu handidi zvangu kana kumbokubatai. Ko izvozvo nhai mambo weIsiraeri wamavinga chaiye ndiani chaizvo? Ndiani wamuri kurondawo kudai? Iyeniwo zvangu imbwa yakafa, nhata zvayo! Naizvozvo Tenzi ngaave mutongi, aenzanise mhosva yedu, aone zvaangaite andipipirirewo aburitse pachena kuti handina mhosva.” Dhavhidhi achangoti pedzei kutaura izvi, kuna Sauro, Sauro akabva ati, “Ndiwe here mwanangu Dhavhidhi uri kutaura nomuromo wako?” Sauro akabva azhamba kuchema. Akati kuna Dhavhidhi, “Uri munhu akarurama kwazvo paneni nokuti iwe wakandiitira zvakanaka asi ini ndikakuitira zvakaipa. Wanyatsozviratidza izvi nhasi nokundiitira zvakanaka kwawaita, Tenzi paanga atondiisa zvake mumaoko ako, warega kundiuraya. Nokuti munhu akawana muvengi wake angamurege achienda zvake here? Saka Tenzi ngaakupe mubayiro wakapetwa pamusana pezvakanaka zvawandiitira nhasi uno. Chinzwaka, ndazoziva zvino kuti chaizvoizvo iwe, ndiwe uchava mambo, uye kuti newe umambo hweIsiraeri huchatonyatsodzika midzi. Zvino chipika kwandiri nezita raTenzi kuti hauzotsakatisa zvizvarwa zvangu zvichauya, uye kuti hauzorovesa zita rangu mudzinza rokwababa vangu.” Dhavhidhi akapika izvozvo kuna Sauro. Sauro akadzokera kumusha, asi Dhavhidhi navanhu vake vakakwidza kubako. Samueri akazofa, vaIsiraeri vose vakaungana kuzomuchema vakamuviga pamusha pake kuRama. Dhavhidhi akasimuka odzika kuenda kurenje reParani. Kwaiva nomumwewo murume wokuMaoni aiva nebasa rake kuKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga aine zviuru zvitatu zvehwai nechiuru chembudzi. Akanga achiveura hwai dzake kuKarimeri ikoko. Murume iyeye ainzi Nabhari, mudzimai wake achinzi Abhigairi. Aiva mukadzi anonzwisisa ane chimiro chakanaka. Asi murume iyeyo akanga aine mwoyo mukukutu. Aiva wokwaKarebhu. Pakanga Dhavhidhi ari kurenje akanzwa zvichinzi Nabhari ari kuveura hwai dzake kuKarimeri. Akatuma majaya gumi achiti, “Endai kuKarimeri mundondikwazisirawo Nabhari. Muti kwaari zvanzi, ‘Rugare ngaruve nemi. Zvanzi kufara kwamuri imi mose nemhuri yenyu. Makadiiko nezvose zvamunazvo?’ Ndiri kunzwa kuti muri mukuveura zvipfuwo zvenyu. Zvino vafudzi venyu vakanga vanesu kuno, asi hapana chakaipa chatakaita kwavari. Hapana chavakarasikirwa nacho nguva yose iyi yavanga vari kuKarimeri. Kana mukabvunza zvenyu varanda venyu, vanokuudzaiwo izvozvi. Naizvozvo dai mukaitira zvenyu majaya angu ayo tsiye nyoro zvatauyawo kuno zuva guru rakadai. Dai mukawanawo zvimwe zvamunazvo zvamungape varanda venyu neni mwana wenyu Dhavhidhi.” Kuzoti majaya aDhavhidhi asvikako akapira kuna Nabhari zvose izvi achiti tatumwa naDhavhidhi, ndokumira zvavo. Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi achiti, “Dhavhidhi iyeyo ndiani? Chii mwana waJese iyeyo? Kune varanda vazhinji kwazvo mazuva ano vari kutiza vatenzi vavo. Nditore chingwa changu, nemvura yangu, nenyama yandabayira vaveuri vangu, ndichipa zvangu kuvanhu vandisingamboziva kana nokwavanobva here?” Majaya aDhavhidhi akadzokera zvawo akasvikotaurira Dhavhidhi zvose izvozvi. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Varume, munhu wose ngaapakate bakatwa rake!” Munhu wose akapakata bakatwa rake, Dhavhidhi akapakatawo rake. Mazana mana avanhu akaenda naDhavhidhi, kukasara mazana maviri vakachengeta zvinhu. Asi mumwe muranda akaruma nzeve mudzimai waNabhari, Abhigairi kuti, “Dhavhidhi akatuma nhumwa dzakasvika kuna tenzi wedu dzichibva kurenje kuzovakwazisa, asi ivo vakadzijinyura. Asi mufunge zvenyuka, vanhu ivava vakatiitira zvakanaka kwazvo. Havana chakaipa chavakaita kwatiri. Hapana chatakarasikirwa nacho kumafuro nguva yose iyi yatakanga tiinavo. Vakanga vari rusvingo chairwo kutichengetedza, siku nesikati nguva yose iyi zvayo yatanga tichifudza hwai. Zvino dai mukambopafungawo zvenyu apa muone zvokuita, nokuti tenzi wedu atova munyatwa chaiyo izvozvi pamwechete navanhu vose vemhuri yake. Asi tenzi wedu uyu munhu ane mwoyo wakaipa kwazvo haatiuriki.” Abhigairi akabva aita chimbichimbi kutora mazana maviri ezvingwa nezvigubhu zviviri zvewaini nehwai shanu dzakavhiyiwa, namabhagidhi maviri embesanwa dzakakangwa, nezana rezvisumbu zvamagirepisi akaomeswa namazana maviri ezvambwa zvamakuyu, akazvitakudza pamadhongi. Akati kuvaranda vake, “Chitungamirai, ini ndiri kutevera!” Asi mudzimai waNabhari haana kutaurira murume wake. Paaifamba kudaro ari padhongi rake, akati pindei mumupata wegomo, onei Dhavhidhi navanhu vake vari kuuya vakananga kwaari, ndokusangana navo. Dhavhidhi akanga achitoti, “Chaizvoizvo ini ndakatamburira nhando nhai kuchengeta zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje, pasina chimwechete chake chaakarasikirwa nacho. Ini ndakamuitira zvakanaka kudaro, ndopaava kunditsiva nezvakaipa kudai. Kana ramangwanani rikabuda kuchine wechirume wemhuri yake wandinenge ndasiya ari mupenyu, iyeni Dhavhidhi, Tenzi ngaandione.” Abhigairi paakaona Dhavhidhi akabva akurumidza kuburuka padhongi rake akapfugamira Dhavhidhi akatsikitsira uso akamukotamira. Akasvikoti bvucha mumakumbo aDhavhidhi ndokuti, “Changamire, mhosva iyi ngaive zvayo yangu. Ndibvumireiwo zvangu ini muranda wenyu kumbotaurawo nemi mumbonzwawo zvandichakurondedzerai ini muranda wenyu. Ndapota changamire, regai zvenyu kuita hanya nezvomuipi uyo Nabhari, vakamugona wani vakamutumidza zita rokuti Nabhari, rinoreva kuti benzi, nokuti iyewo ibenzi romunhu. Chete, ini muranda wenyu pachezvangu, handina kunge ndamboona varume ivavo vamakatuma changamire. “Changamire, zvino chionaiwo zvenyu kuti Tenzi ndiye aita kuti murege kupara mhosva yokudeura ropa kana kuti imi pachenyu noruoko rwenyu mutsividze zvamakaitirwa. Ndinopika naTenzi mupenyu, imi muchitozvionawo ndichiti, vavengi venyu navose zvavo vanoda kukuitirai zvakaipa ngavaitirwe sezvichaitirwa Nabhari. Changamire, ipai zvenyu majaya aya anokuteverai chipo ichi chandauyawo nacho ini muranda wenyu. Ndateterera zvangu ndiregerereiwo kukutadzirai kwandakaita ini muranda wenyu, changamire, nokuti Tenzi achanyatsoita kuti umambo hudzike midzi mumba menyu, nokuti muri kurwa hondo dzaTenzi. Hapana chakaipa chichawanikwa muupenyu hwenyu. Kana munhu akada kukurondai achida kukuurayai, upenyu hwenyu huchasungirirwa pachisote chavapenyu pahunochengetwa naTenzi Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera sedombo rechimviriri. Kana Tenzi achingewo azoita zvakanaka zvose zvaakatsidza nezvenyu imi changamire akakuitai mutongi weIsiraeri, imi hamuzovi nechinokunetsai mumwoyo kana kuzodemba nechikonzero chokuti imimi changamire munenge madeura ropa risina mhosva kana kuti mazvitsivira moga. Kana Tenzi achinge akuponesai aitawo kuti zvikufambirei zvakanaka muzondirangarirawo imi changamire, ini muranda wenyu.” Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wavaIsiraeri akutuma kuti usangane neni nhasi. Mwari ngaakukomborere nepfungwa yako yokugona kunzwisisa kudai. Mwari ngaakukomberere nokundidzora kwawandiita nhasi ndikarega kupara mhosva yokudeura ropa kana kuzvitsivira ndoga. Ndinopika naTenzi, Mwari waIsiraeri mupenyu aita kuti ndirege kukukuvadza, ndichiti dai wanga usina kukurumidza kuchingurana neni, chokwadi mangwana kwaNabhari kwaifuma kusisina kana munhu wechirume mumwechete zvake!” Dhavhidhi akagamuchira zvakanga zvauya nomukadzi uyu kwaari, akamuti, “Chidzokera zvako kumusha kwako zvawataura ndazvinzwa uye ndichaita zvawareva.” Abhigairi akasvika kuna Nabhari wanei Nabhari ari pakati pamabiko mumba make, aitenge mabiko amambo chaiwo. Izvozvo Nabhari akanga ofara kwazvo apera zvake kudhakwa. Saka haana kana kumutaurira chinhu kusvikira kwaedza. Mangwanani acho waini yapera muna Nabhari, mudzimai wake akamutaurira izvozvi izvi akarohwa nehana akaoma kuti papata nokutya. Kuzoti kwangoti perei mazuva anenge gumi, Tenzi akazovinga Nabhari nedenda, akabva afa. Dhavhidhi paakanzwa kuti Nabhari afa akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi anditsivira Nabhari kutsvinya kwaakandiitira, akaitawo kuti ini muranda wake ndirege kuita chakaipa. Tenzi akaita kuti Nabhari apfukirwe nouipi hwake.” Dhavhidhi akabva atumira vanhu kundotaurirana naAbhigairi kuti ave mukadzi wake. Vanhu vaDhavhidhi pavakasvika kuna Abhigairi kuKarimeri vakati kwaari, “Dhavhidhi atitumira kwamuri kuti tizokutorai muve zvenyu mukadzi wake.” Akasimuka akakotama ndokutyora uso akati, “Aiwa, regai zvenyu ndichiva wokushambidza tsoka dzavaranda vatenzi wangu.” Abhigairi akakurumidza kusimuka ndokuti padhongi rake karakata ndokuenda oteverana nenhumwa dzaDhavhidhi dziya aina vasikana vashanu vokumuperekedza. Dhavhidhi akanga aroorawo Ahinoami wechiJezireeri akavaparika vose vari vaviri. Sauro akatenge apawo Mikari mukunda wake mukadzi waDhavhidhi kuna Pariti mwana wavaRaishi vokuGarimu. Vamwe vanhu vechiZifu vakaenda kuna Sauro kuGibhea vakati, “Ko inga iye Dhavhidhi akahwanda wani kuchikomo cheHakira kumabvazuva kweJeshimoni?” Sauro akabvawo asimuka oenda kurenje reZifu aine zviuru zvitatu zvavarwi vano vakanyatsosarudzwa kundotsvaka Dhavhidhi murenje reZifu. Sauro akasvikodzika matendhe pachikomo cheHakira chiri munyasi momugwagwa kumabvazuva kweJeshimoni. Dhavhidhi akarambawo ari murenje paakanga aona kuti Sauro ari kumutsvaka murenje reZifu, Dhavhidhi akatuma vasori akabva anyatsoziva kuti zvechokwadi Sauro akauyako. Dhavhidhi akasimuka ndokuenda kuya kwakanga kune matendhe aSauro, akaona pakanga parere Sauro uyewo Abhuneru mukuru mukuru wehondo yake, mwanakomana waNeri. Izvozvo Sauro akanga arere pakati pematendhe akakomberedzwa nehondo yake. Dhavhidhi aikurukura naAhimereki muHiti naAbhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruia ndokuti, “Ndiani angade kuenda neni kumatendhe aSauro?” Abhishai akati, “Ini zvangu, ndini ndichaenda nemi.” Saizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kwaiva navanhu vaya nousiku wanei Sauro ari kusi kwehope arere pakati pematendhe, pfumo rake rakabayirirwa pasi kumusoro kwake. Abhuneri nehondo yose vakanga varere vakamutenderera. Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu nhasi. Saka chiregai zvenyu ndimubayirire pasi nepfumo kamwechete chete. Handimbosweroita ruviri!” Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuuraya, ndiani chaizvo angasimudzire ruoko rwake muzodzwa waTenzi akasara asina nemhosva yose?” Dhavhidhi akapika achiti, “NaTenzi mupenyu iye Tenzi ndiye achamuuraya, kana kuti zuva rake rokufa ratosvikawo zvaro, kana kuti achangoendawo muhondo ondopararirawo ikoko. Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudzire ruoko rwangu muzodzwa waTenzi. Ingotora chete pfumo riri kumusoro kwake nechigubhu chemvura tiende.” Dhavhidhi akatora pfumo riya nechigubhu chemvura zvaiva kumusoro kwaSauro ndokuenda. Hapana akazviona kana akazviziva kana kuwana akapepuka nokuti vose vakanga vakakotsira. Uyewo nokuti vakanga vakabatwa nehope dzamandiriri dzakanga dzaita zvokubva kuna Tenzi. Dhavhidhi akayambukira kune imwe mhiri ndokundomira pamusoro pechimwe chikomo chakanga chiri chinhambwe. Chinhambwe chacho chakanga chakati kureiwo kwazvo. Dhavhidhi akadaidzira kuhondo iya kuna Abhuneri mwana waNeri achiti, “Haudaire here iwe Abhuneri?” Abhuneri akadaira achiti, “Ndiwe ani unodaidza mambo iwe?” Dhavhidhi ndokuti kuna Abhuneri, “Hausi mukono here iwe? Ndiani angamboenzaniswa newe muIsiraeri? Zvino warega seiko kuchengeta mambo, tenzi wako? Zvakuine mumwe munhu wani asvikako achida kuparadza mambo, tenzi wako. Izvi zvawaita izvi hazvina kunaka. NaTenzi chaiye mupenyu munofanira kufa nokuti hamuna kuchengeta mambo tenzi wenyu, muzodzwa waTenzi. Chimbotarisa uone pfumo ramambo nechigubhu chake chemvura zvanga zviri kumusoro kuti zviri kupi?” Sauro akabva aziva izwi raDhavhidhi akati, “Ndiwe here mwanangu Dhavhidhi uri kutaura nomuromo wako?” Dhavhidhi akati, “Ee ndini ndiri kutaura nomuromo wangu chaiwo mambo changamire.” Akatizve, “Changamire, chii chamarambira makati tsvome tsvome neni kundironda kudai ini muranda wenyu? Chii chandakaita? Ndeipi mhosva yandakapara? Naizvozvo Mambo, chimbonzwaiwo zvandava kutaura ini muranda wenyu kwamuri changamire. Kana ari Tenzi ari kukupai mweya wokundimukira uyu, dai angogamuchira zvake mupiro, asi kana vari vanhu Tenzi ngaavaone nokuti ndokutondidzinga kwavakaita ikoku zvandiri nhasi vachinditadzisa kuti ndiwanewo chandingawana panhaka yatakapiwa naTenzi vachiti ndibve ndiende kundonamata vamwe vamwari vasirivo. Zvino dai ropa rangu rarega zvaro kudeurirwa kure nenzvimbo yaTenzi inoera. Ndinodaro nokuti mambo weIsiraeri abudira ini zvangu nhata zvayo, sehombarume iri kuvhima hwerekwere mumakomo.” Sauro akati, “Ndakanganisa chidzoka zvako mwanangu Dhavhidhi. Handina chimwe chakaipa chandichaita kwauri nokuti waona upenyu hwangu huri chinhu chakakosha kwauri nhasi. Hezvika ndaita zvoupenzi chaizvo, ndatadza kwazvo!” Dhavhidhi akapindura achiti, “Pfumo ramambo iri. Rimwe jaya ngariuye kuno kuzoritora. Tenzi anopa mubayiro munhu akarurama akatendeka. Nhasi uno Tenzi akuisai mumaoko angu asi ini ndarega zvangu kusimudzira ruoko rwangu muzodzwa waTenzi. Nhasi uno ndaona upenyu hwenyu sechinhu chakakosha. Dai Tenzi akaonawo upenyu hwangu sechinhu chakakosha akandinunura munhamo dzangu dzose.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Mwari ngaakukomborere zvako mwanangu Dhavhidhi. Uchanyatsoita zvinhu chaizvo, uchibudirira kwazvo.” Dhavhidhi akaenda zvake Sauro akadzokera kwake. Dhavhidhi akazviti nechomumwoyo, “Pangu pachandiperera chete rimwe zuva naSauro uyu. Hapana chimwe chandingaite asi kutokurumidza kutizira kunyika yevaFirisitia. Sauro achabva anetawo nazvo zvokundivhima izvi munyika yose yeIsiraeri, ndigopunyuka mumaoko ake.” Nokudaro Dhavhidhi navanhu vake mazana matanhatu vaaiva navo akasimuka akayambukira kwaAkishi mambo wokuGati, mwanakomana waMaoki. Dhavhidhi akaita musha kuGati achigara naAkishi, iye pamwechete navanhu vake, mumwe nomumwe nemhuri yake. Aiva navakadzi vake vaviri, Abhinoamu wokuJezireeri naAbhigairi wokuKarimeri, chirikadzi yaNabhari. Shoko parakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi akatizira kuGati, Sauro akabva aregera zvokumutsvaka. Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana muchida zvenyu, ndipeiwo nzvimbo yokugara mune rimwe guta renyu rokumaruwa ndigare zvangu ikoko. Zvinenge zvisina kunaka kuti ini muranda wenyu ndigare pamwechete nemi mumuzinda wenyu.” Musi iwoyo, Akishi akamupa guta reZikiragi, nokudaro Zikiragi rakabva rava guta ramadzimambo okwaJudha kusvikira pari nhasi. Dhavhidhi akagara munyika yavaFirisitia gore nemwedzi mina. Dhavhidhi navarwi vake vakakwira kundopamba vaGeshuri nevaGeziri navaAmereki nokuti vanhu ivava kubvira pasichigare ndivo vaigara kumatunhu okunge tava kuenda kuShuru nokuIjipiti. Dhavhidhi paakarwisa matunhu iwayo, haana kumbosiya munhu, murume kana mukadzi, ari mupenyu. Aituta hwai nemombe namadhongi nenghamera nezvokupfeka obva adzokera kuna Akishi. Akishi aizomubvunza kuti, “Ko wanga waenda kundorwisa kupiko nhasi?” Dhavhidhi aiti, “Ndandorwisa Negevhu yokwaJudha,” kana kuti “Negevhu yokwaJerahimeeri neNegevhu yokuvaKeni.” Dhavhidhi haaimbosiya munhu ari mupenyu, murume kana mukadzi kuitira kuti pasawane anounza shoko kuGati rokuti ndizvo zviri kuitwa naDhavhidhi izvi. Ndiko kaiva katsika kaDhavhidhi ikaka nguva yose yaaigara mumatunhu avaFirisitia. Akishi akavimba naDhavhidhi achiti, “Dhavhidhi anyatsozvivengesa chaizvo navanhu vake vechiIsiraeri, saka achagara ari muranda wangu narini.” Pamazuva iwayo vaFirisitia vakakokorodza hondo dzavo kundorwisa Isiraeri. Akishi akataurira Dhavhidhi achiti, “Unozvizivaka kuti iwewe navanhu vako mucharwa muri kudivi rokwangu.” Dhavhidhi akapindura Akishi achiti, “Zvakanaka, muchangoonawo zvenyu zvandichaita ini muranda wenyu.” Akishi akati kuna Dhavhidhi, “Heekaka! Ndichakuita muchengeti wangu narini narini.” Izvozvo Samueri akatenge afa, vaIsiraeri vamuchema vatomuviga kuRama, guta rokwake. Saurowo akanga adzinga munyikamo n'anga navanosvikirwa. VaFirisitia vakakokorodzana vakasvikodzika matendhe avo kuShunemu. Sauro akaunganidzawo vaIsiraeri vose vakadzika matendhe avo kuGiribhoa. Sauro paakaona hondo yavaFirisitia akadedera kwazvo nokutya. Akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, asi Tenzi haana kumupindura kana muzviroto kana neurimu kunyange nokuvaporofita. Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa ndiende kundobvunzira kwaari.” Ivo vakati, “Kuno mumwe anosvikirwa ari kuEndori.” Naizvozvo akapfeka dzimwe hanzu kuti asaziikanwe ndokuenda nousiku kumukadzi iyeyo aine vamwe varume vaviri. Akati, “Ndibvunzireiwo vari kumhepo mundidaidzirewo wandinenge ndadoma nezita.” Mukadzi uyu akamuti, “Inga kana nemi munonyatsozviziva wani zvakaitwa naSauro. Handiti akaparadza n'anga navanosvikirwa munyika ino. Ko seiko muchida kuteya upenyu hwangu kuda kundiurayisa zvenyu?” Sauro, akapika kwaari naTenzi achiti, “NaTenzi chaiye mupenyu hamumbofa makarangirwa izvozvi izvi.” Mukadzi ndokuti, “Zvino ndokudaidzirai ani?” Iye akati, “Ndidaidzireiwo Samueri.” Mukadzi uyu paakaona Samueri, akachema, akati kuna Sauro, “Ko mandinyengedzereiko kudai! Inga ndiwe Sauro wani.” Mambo akamuti, “Rega zvako kutya, chete chauri kumboona chii?” Mukadzi akati kuna Sauro, “Ndiri kuona mumwe mudzimu uri kunyuka pasi.” Akati kwaari, “Chimiro chawo chakadii?” Mukadzi uyu ndokuti, “Murume, harahwa iri kunyuka yakafukidzwa gemenzi.” Sauro akabva aziva kuti ndiSamueri, akakotamisa uso ndokumugwadamira. Samueri akati kuna Sauro, “Ko wandinetsereiko nokundidaidza?” Sauro akati, “Ndapinda pfumvu chaiyo ini nokuti vaFirisitia vari kundirwisa, ukuwo Mwari andifuratira. Haachambondipa mhinduro kunyange navaporofita kana muzviroto. Ndokusaka ini ndakudaidzai kuti mundiudze zvokuita.” Samueri ndokuti, “Kana Tenzi akakufuratira kudaro akava mhandu yako, ko ini unogondibvunzireiwo? Tenzi pachake ari kuita kwauri sokutaura kwaakaita nomuromo wangu nokuti Tenzi akabvarura umambo kwauri akahupa mumwe wako, Dhavhidhi. Chiripo ndechokuti hauna kuteerera Tenzi. Wakarega iwe kutsividza vaAmereki kuvaratidza hasha dzake dzinotyisa, ndokusaka Tenzi aita izvozvi kwauri nhasi uno. Chimwezve ndechokuti Tenzi achaisa vaIsiraeriwo pamwechete newe mumaoko avaFirisitia. Mangwana chaiwo iyewe navana vako vakomana muchange muineni. Tenzi achaisawo hondo yeIsiraeri mumaoko evaFirisitia.” Pakarepo Sauro akati pasi rabada nokutya zvakataurwa naSamueri. Simba rake rakanga rapera nokuti akanga apedza muswere wose iwoyo nousiku ihwohwo hwose asina chaadya. Mukadzi uyu akaenda pana Sauro, paakaona kuti zvakanga zvamutyisa kwazvo akamuti, “Chinzwai, ini ndambokuteererai. Ndamboita zvokutobatira ura mumaoko ini muranda wenyu, ndikateerera zvamandiudza. Zvino chimbonditeereraiwo ini muranda wenyu, ndimbokuunzirai kachingwa mudye mukoke simba mugoenda zvenyu.” Sauro akaramba achiti, “Zvokudya, aiwa. Asi varanda vake nomukadzi uyu vakamunyengetedza ndokubva azovateerera zvake. Ipapo akamuka pasi, akagara pamubhedha. Mukadzi uyu aiva nemhuru yaingunokodzwa mumba. Pakarepo akabva angoiuraya akatora upfu kwekoroni akahukanya ndokubva abika chingwa chisina mbiriso.” Akazvipa kuna Sauro navaranda vake vakadya. Vakazosimuka ndokuenda zvavo usiku ihwohwo. VaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose kuAfeki. VaIsiraeri vakadzikawo matendhe pedyo nechisipiti chokuJezireeri. Madzishe evaFirisitia akati achifamba aine zvikwata zvavarwi zvezviuru zvakasiyana-siyana, vachipfuura vari zana zana, Dhavhidhi navarwi vakewo vari necheshure vaina Akishi, vatungamiri vavaFirisitia vakabvunza kuti, “Ko vaHebheru ava ndevei?” Akishi akapindura vatungamiriri vaFirisitia ava achiti, “NdiDhavhidhi wani uyu, muranda waSauro mambo weIsiraeri. Atova namazuva chaiwo wani kana kutoti makore aineni. Kubvira zuva raakapomoka kwaSauro, ini handina kuona chakaipa maari ini kusvikira nhasi uno.” Asi vatungamiriri vavaFirisitia vakamushatirirwa vakati, “Dzoserai murume uyu kwakare kuguta ramakamuti agare. Ngaarege kuenda nesu kundorwa nokuti anotipandukira uyu, kana tasvika pakurwa. Munoti angagotsvaka sei kuwirirana zvakare natenzi wake? Handiti anotozviita nemisoro yavarume vokwedu ava? Handiti ndiye Dhavhidhi here uyu wavaiimba vachidavirana vachitamba vachiti, “Sauro wakauraya zviuru Asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru?” Akishi akadaidza Dhavhidhi ndokuti kwaari, “NaTenzi mupenyu, iwe wanga uri munhu akatendeka, uye sokuona kwangu unenge uchifanira chaizvo kuenda neni mutendhe nokuti mauri iwe handina kuona chakaipa kubvira musi wawakauya kwandiri kusvikira pari nhasi. Kunyange zvakadaro zvazvo madzishe aya haasi kugutsikana newe. Zvino wochidzokera zvako zvakanaka kuti urege kugumbura madzishe aya avaFirisitia.” Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Ko chii chandakaita? Chakaipa chamakaona mandiri ini muranda wenyu chii chaizvo kubvira musi wandakatangisa kukushandirai kusvikira nhasi uno chingazonditadzisa kuendawo kundorwa navavengi venyu changamire?” Akishi akapindura Dhavhidhi achiti, “Ini ndinozviziva zvangu kuti kwandiri ini wakanaka mwoyo somutumwa waMwari. Asi vatungamiriri vavaFirisitia vati, ‘Haaende nesu kundorwa.’ Saka wofumomuka pamwechete navaranda vatenzi vako vakauya newe moenda mangwanani mambakwedza.” Saka Dhavhidhi navanhu vake vakamuka mangwanani-ngwanani vodzokera kunyika yavaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kuJezireeri. Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi, rava zuva retatu. Vakasvikowana vaAmareki vapamba zvinhu mudunhu reNegevhu nomuguta reZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi variroromesa nomoto. Vakatapa vakadzi navamwe vose vaivamo kubvira kuvaduku kusvikira kuvakuru. Havana wavakauraya asi vakangokukuchana navo ndokuenda. Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika muguta umu wanei raroromeswa nomoto, madzimai avo navana vavo vakomana navasikana wanei vatapwa. Dhavhidhi navanhu vaaiva navo vakazhamba kusvikira vasisina simba rokuchema. Vakadzi vaDhavhidhi vaviri, Ahinoamu wokuJezireeri naAbhigairi chirikadzi yaNabhari vokuKaremeri vakanga atapwawo. Dhavhidhi akasuruvara kwazvo nokuti vamwe vakanga votoda zvokumutaka namabwe pamusana pokuti vanhu vose vakanga vasuruvara kwazvo vofunga zvino vana vavo vakomana navasikana. Asi Dhavhidhi akawana simba rake muna Tenzi, Mwari wake. Dhavhidhi akati kumupristi Abhiatari mwanakomana waAhimereki, “Uya kuno neefodhi.” Abhiatari akabva auya neefodhi kuna Dhavhidhi. Dhavhidhi akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nezvinhu izvi akati, “Ndoronda here chikwata ichi? Ndichavabata here?” Mwari ndokumuti, “Varonde zvako unovabata chete ugovanunura.” Dhavhidhi akabva asimukawo namazana matanhatu avarwi vaakanga ainawo. Vakasvika kukakova keBhesori vamwe vavo vakasara ipapo. Asi iye Dhavhidhi navamwe vavo mazana mana vakaramba vachironda. Vamwe mazana maviri vakasarapo, vakanga vaneta kwazvo, vakatadza kuyambuka kakova keBhesori. Kune vamwe vakawana mumwe muIjipiti musango vakauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa chingwa akadya, vakamupawo mvura yokunwa. Vakamupawo chimedu chechambwa chamakuyu nechisumbu chamagirepisi akaomeswa. Paakanga apedza kudya kudaro, simba rake rakabva radzoka pakare nokuti akanga apedza mazuva matatu, siku nesikati asina kana kuisa chinhu mukanwa kana kunwa mvura zvayo. Dhavhidhi akamubvunza kuti, “Uri wokwaaniko iwe? Unobva kupi?” Iye ndokuti, “Ndiri mukomana wokuIjipiti. Ndiri muranda womumwe muAmareki. Tenzi wangu akangonditiwo njo pano apa ndarwara mazuva matatu apera aya. Takanga tatorwisa dunhu reNegevhu rokuvaKereti, nedunhu reNegevhu rokwaJudha nedunhu reNegevhu rokwaKarebhu, tikapisawo Zikiragi nomoto.” Dhavhidhi akamuti, “Ungakwanise here kundisvitsa kune chikwata ichochi.” Iye akati, “Chimbonditsidziraiwo naMwari kuti hamundiuraye kana kundiisa mumaoko atenzi wangu ndigokusvitsai zvenyu kune chikwata ichocho.” Akadzika naye ikoko wanei vaAmareki vakaita zvavo rurasademo, vakapararira nenzvimbo iyoyo yose vachiti uku runodya, uku runonwa, uku runotamba pamusana pezvose zvavakanga vapamba kunyika yavaFirisitia nokunyika yokwaJudha. Dhavhidhi akavarakatisa kuuraya kubvira parubvunzavaeni kusvikira manheru eramangwana racho. Hakuna akapunyuka kusara kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza. Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvapambwa navaAmareki, akanunura vakadzi vake vaviri. Hapana chakashayikwa, kana kai zvako kubvira kuvana vakomana navasikana kusvikira kune zvakanga zvapambwa kunyange nezvakanga zvatorwa. Dhavhidhi akadzoka nazvo zvose. Dhavhidhi akavatorerawo mombe dzose nezvimwe zvipfuwo izvozvo. Vanhu vakatinha zvipfuwo izvozvo zviri mberi kwake vachiti, “Izvi ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.” Dhavhidhi akasvika pana varume vaya mazana maviri vakanga vaneta zvokuti vakanga vasisakwanise kuenda naDhavhidhi, vakanga vambosiyiwa vaya pakakova keBhesori. Vakauya kuzochingurana naDhavhidi pamwechete navanhu vaiva naye. Dhavhidhi paakasvika kwavari akavakwazisa. Asi kwaiva navamwe vakaipa mwoyo vomuchokoto pavanhu vakanga vaenda naDhavhidhi vakakonora vachiti, “Pamusana pokuti vanhu ava havana kuenda nesu, hapana chatinovapa pazvinhu zvatakapamba zvatakadzosa izvi asi kuti munhu ngaangotora mukadzi wake navana vake aende.” Asi Dhavhidhi akati, “Kweteka hama dzangu, hamungadaro nezvinhu zvatakangopiwa zvedu naTenzi. Inga Mwari akatichengeta wani akaisa chikwata chavavengi vedu mumaoko edu. Ndiani angabangoteerera zvamuri kutaura? Chiripo chaicho ndechokuti chawana aenda kundorwa ndicho chichawanawo anosara pazvinhu, mugove wavo mumwechete.” Kubvira musi iwoyo zvichienda mberi Dhavhidhi akabva ati uve murao nomutemo weIsiraeri kusvikira pari nhasi. Dhavhidhi paakasvika kuZikiragi akatumira zvimwe zvaakanga apamba kushamwari dzake, vakuru vakuru vokwaJudha achiti, “Hecho chikomborero chezvakapambwa kuvavengi vaTenzi.” Vaakatumira ndeava vanoti: vokuBhetieri, novokudunhu reNegevhu rokuRamoti, kwouya vokuJatiri, novokuAroeri, novokuSifumoti, novokuEshitemoa, kwoti vokuRakari, novokumaguta okuJerahimeeri, novokumaguta okuvaKeni, kwouyawo vokuHoruma, novokuBhorashani, novokuAtaki, kwozoti vokuHebhuroni nokumwe kwose zvako kwaimboshanyirwa naDhavhidhi navarwi vake. VaFirisitia vakarwisana navaIsiraeri, vaIsiraeri vakatiza vaFirisitia vakarakatiswa kufa kugomo reGiribhoa. VaFirisitia vakati tsvome tsvome kudzingirirana naSauro navanakomana vake. VaFirisitia ava vakauraya Jonatani naAbhinadhabhu naMarikishua vana vaSauro vakomana. Hondo yakanga zvino yaomera Sauro, vemiseve vakabva vamuwana vakamukuvadza zvakaipisisa kwazvo. Sauro akati kune wokumutakurira zvombo zvehondo, “Buritsa bakatwa rako mumuhara undibaye naro, vangadaro vanhu ava vasina kudzingiswa vakauya vakandibaya, ivo, vachindiita zvavo chiseko.” Asi wokumutakurira zvombo zvehondo uyu akaramba nokuti akatya kwazvo. Sauro ndokubva atora bakatwa rake pachake ndokuzviwisira pariri. Uya aimutakurira zvombo zvehondo achionawo kuti Sauro afa, naiyewo akazviwisira pabakatwa rake, akafawo pamwechete naye. Uku ndokufa kwakaita Sauro navana vake vakomana vatatu, neaimutakurira zvombo zvehondo zvake, navarwi vake vose musi wakarewo pamwechete. VaIsiraeri vaiva mhiri kwebani navaiva kumhiri kwaJorodhani pavakaona kuti varwi veIsiraeri vakanga vatiza uyewo kuti Sauro navana vake vakomana vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. VaFirisitia vakaenda vakagaramo. Ramangwana racho vaFirisitia vakaenda kundotora zvaiva pazvitunha. Vakawana Sauro navana vake vakomana vatatu vakati kan'an'a kugomo reGiribhoa. Vakamudimura musoro vakakatanura chidemautare chake chokuzvidzvivirira Nacho muhondo. Vakatumira nhumwa kunyika yose yavaFirisitia nedama rakanaka kwazvo kutemberi yavamwari vavo nokuvanhu vokwavo. Vakaisa chidemautare chake chokuzvidzivirira nacho mutemberi yaAshitaroti. Vakaroverera chitunha chake pamadziro erusvingo rweBhetishani. Vanhu vokuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvakanga zvaitwa navaFirisitia kuna Sauro, varume vokwavo vose magamba vakasimuka vakafamba usiku hwose vakasvikotora chitunha chaSauro nezvevanakomana vake pamadziro erusvingo rweBhetishani vakadzokera nazvo kuJabheshi vakazvipisa ikoko. Vakatora mapfupa avo vakaaviga pasi pomuti womutamarisiki kuJabheshi, vakatsanya mazuva manomwe. Mushure mokufa kwaSauro, Dhavhidhi adzoka kwaakanga andorakatisa kuuraya vaAmareki Dhavhidhi akambogara mazuva maviri muZikiragi. Pazuva rechitatu racho, ndiye vhu mumwe murume achibva kumatendhe okwaSauro, aine hembe dzakabvaruka, nehuruva mumusoro. Paakasvika kuna Dhavhidhi, akati pasi gwadagwa achimuremekedza. Dhavhidhi akati kwaari, “Unobva kupi?” Iye akamupindudra achiti, “Ndapunyuka kumatendhe eIsiraeri.” Dhavhidhi akati kwaari, “Tipire tinzwe, zvafamba sei?” Iye akapindura achiti, “Vanhu vatiza kuhondo. Uye vamwe vavo vakawanda kwazvo varakatiswa, vafa. Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafawo.” Dhavhidhi ndokuti kujaya iri rokuuya neshoko kwaari, “Ko wazviziva sei kuti Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafa?” Jaya rakamuudza rikati kwaari, “Ndakangosvikawo zvangu nokugomo reGiribhoa, onei, Sauro aripo akazendamira pfumo rake ukuwo ngoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo vachiti tsvome tsvome naye.” Paakati cheu kutarisa shure, akandiona ndokubva andidaidza, ini ndokuti, “Ndokuno changamire.” Iye ndokunditi, “Ndiwe aniko iwe?” Ini ndikati, “Ndiri muAmareki.” Iye akanditi, “Uya umire pandiri pano uchindipedzisa zvako nokuti ndatambura ini asi mweya wangu warambirira mandiri. Saizvozvowo ndakandomira paakanga ari ndokubva ndamupedzisa nokuti ndakanga ndanyatsoona kuti haamborarama namawiro aakanga akaita pasi kudaro. Ndakatora ngundu yakanga iri mumusoro make netsambo yaiva muruoko rwake. Ndauya nazvo kwamuri changamire.” Dhavhidhi akati ndu hembe dzake akadzibvarura neshungu, ndozvakaitawo vamwe varume vose vaaiva navo. Vakachema Sauro nomwanakomana wake Jonatani navanhu vaTenzi nemhuri yose yeIsiraeri nokuti vakanga varakatiswa kuuraiwa namapakatwa. Vakahwihwidza kuchema vakatsanya kusvikira manheru. Dhavhidhi akati kujaya riya rokumutaurira, “Ko iwe unobva kupi?” Iye akati, “Ini ndiri mwana womumwe muuyi, muAmareki.” Dhavhidhi ndokuti kwaari, “Chakakupa kurega kutya kusimudzira ruoko rwako kuparadza muzodzwa waTenzi chii?” Dhavhidhi akabva adaidza rimwe jaya akati, “Naye munhu uyu, mupfuudze.” Akabva amuponda akafa. Dhavhidhi akati kwaari, “Rufu rwako ndorwokuzviparira nokuti muromo wako wawataura wokutoti zvako, ‘Ndakauraya muzodzwa waTenzi’ wakuparira.” Dhavhidhi akagurukuta kuchema Sauro nomwana wake Jonatani achiimba rwiyo rwengondo. Akati rudzidziswe vedzinza rokwaJudha. Zvino ngondo yacho ino iyi yakanyorwa muBhuku raJashari, rinoti: “Vanodadisa Isiraeri vacho vachiti kata kata kufa, vachiti kata kata pamitunhu yenyu yakatunhumara. Zvauya sei chokwadi, magamba kuti rakata kudai? Dai mangorega zvenyu kuzvitaura kuGati, kunyange zvako kuzviparidzira muAshikeroni. Vanasikana vavaFirisitia vangadaro vakapembera kufara. Vanasikana vavanhu vasina kudzingiswa vakazvitutumadza. “Imi makomo eGiribhoa pamusoro penyu, dova ngarirege kudonherapo, kana mvura ngairege kunayapo, parege kuva neminda inopa mbeswa zhinji; nokuti nhoo dzamagamba dzakafumurirwa ipapo. Nhoo yaSauro, zvokuzorwa mafuta zvakapera. Museve waJonatani wakanga usingadzoke, usina ropa rewainge wauraya. Bakatwa raSauro haraidzoka risina mafuta amagamba. “Sauro naJonatani kuvanhu, vaiva vepamoyo chaivo. Naivowo pachavo vari vanhu vakanaka. Upenyu hwavo hwose kusvikira parufu, havana kumbopararana. Pakumhanya gondo raisara pasi, pasimba dziri mvumba chaidzo kupfuura shumba. “Imi vanasikana veIsiraeri, chemai Sauro ndiye aikupfekedzai hanzu tsvuku dzamandiriri, aiisa zvishongo zvendarama pazvipfeko zvenyu. “Zvauya sei chokwadi, magamba kuti rakata mukati mehondo kudai? Jonatani chaiye achiti rashu, kufa pamitunhu yenyu yakatunhumara. “Zvako zvandishungurudza mwoyo, mukoma wangu Jonatani kwandiri, wanga uri wapamwoyo chaiye. Kundida kwako kwanga kusingatauriki, kwaikunda rudo rwavanhukadzi. “Zvauya sei chokwadi, magamba kuti rakata kudai, zvombo zvenyu zvehondo kuparara kudai?” Mushure maizvozvi Dhavhidhi akandobvunza kuna Tenzi kuti “Ndoenda here kune rimwe ramaguta aJudha?” Tenzi ndokumuti, “Enda zvako.” Dhavhidhi ndokuti, “Ndoenda kune ripi?” Tenzi akati, “kuHebhuroni.” Saizvozvo Dhavhidhi akakwidza kuendako pamwechetewo namadzimai ake maviri, vana Ahinoamu wokuJezireeri naAbhigairi chirikadzi iya yaNabhari wokuKarimeri. Dhavhidhi akaendako navanhu vake vaaiva navo munhu wose aine mhuri yake. Vakagara mumaguta okuHebhuroni. Varume vokwaJudha vakauyako vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaJudha. Pavakataurira Dhavhidhi kuti, “Varume vokuJabheshigireadhi ndivo vakaviga Sauro,” Dhavhidhi akatuma nhumwa kuvarume ava vokuJabheshigireadhi akati kwavari, “Tenzi ngaakukomborerei nokuti makaitira Sauro, changamire wenyu mwoyo wakanaka nokumuviga kwamakaita. Tenzi ngaachikuitirai mwoyochena avewo zvake akatendeseka. Iniwo ndichakuitirai zvakanaka pamusana pokuti makaita izvozvi. Saka zvino chishingai mwoyo, muve vanhu vane chivindi, changamire wenyu, Sauro zvaakafa uyewo vokwaJudha zvavakandigadza umambo hwokwawo kuti ndivatonge.” Izvozvo Abhuneru mwanakomana waNeru mutungamiriri wehondo yaSauro akanga atora Ishibhosheti mwanakomana waSauro akaenda naye kuMahanaimu. Akamuita mambo wokuGireadhi newevaAsheru nokuJezirieri nokwaEfuraimu nokwaBhenjamini neIsiraeri yose zvayo. Ishibhosheti mwanakomana waSauro akanga ava namakumi mana amakore paakatangisa kutonga Isiraeri. Akatonga kwamakore maviri. Asi vokwaJudha vainge vachitevera Dhavhidhi. Dhavhidhi aiva mambo wokwaJudha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu kuHebhuroni. Abhuneru mwanakomana waNeru namakurukuta aIshibhosheti mwanakomana waSauro vakabva kuMahanaimu vakaenda kuGibheoni. Joabhu mwanakomana waZeruya namakurukuta okwaDhavhidhi vakabuda vakandosangana navo kudziva rokuGibheoni. Vakagara pasi vakati vamwe kumhiri uku vamwe kumhiri uku padziva ipapo. Abhuneru akati kuna Joabhu, “Regai mamwe majaya edu amirisane ativaraidze.” Joabhu akati, “Ngavamirisane zvavo.” Ivo vakandomirisana vakati uku gumi navaviri vokwaBhenjamini naIshibhosheti mwanakomana waSauro; uku gumi navaviri vokumakurukota aDhavhidhi. Munhu oga oga akati dzvi musoro womumwe waakanga akamirisana naye, akati nebakatwa zwi parutivi pewaakanga akamirisana naye vachibva vati pamwechete pasi rikiti. Naizvozvo nzvimbo iyi yakatumidzwa zita rokuti “Guraramapakatwa.” Iri kuGibheoni. Zuva irori kwakarwiwa hondo inotyisa. Abhuneru navarume vokwaIsiraeri vakakurirwa nevokumakurukota okwaDhavhidhi. Ipapo paiva navanakomana vaZeruya vatatu vaiti: Joabhu naAbhishai naAsaheri. Zvino Asaheri uyu aiva mhene chaiyo pakumhanya. Asaheri akadzingirirana naAbhuneru akaramba akati naye tande asina kwaaitsaukira, achitevera Abhuneru chete. Abhuneru akacheuka ndokuti, “Ndiwe here Asaheri?” Iye akati, “Ndini.” Abhuneri akamuti, “Tsaukira zvako kurudyi kana kuruboshwe uwane rimwe jaya raungabate uripambe.” Asi Asaheri akaramba angoti tsvome tsvome naye chete. Abhuneru ndokutizve kuna Asaheri, “Rega zvokundidzingira izvi. Unodirei kuti ndikupatitsire pasi? Ndingazotarisana sei nomukoma wako Joabhu?” Asi Asaheri akaramba angoti naye naye chete. Naizvozvo Abhuneru akabva amuti neshure dhuvhu nomusisi zvokuti pfumo rakati bherevere ndokubuda nokumusana, achibva ati pasi mbonye mbonye, ndiye pakarepo fatata kufa. Vose vakanga vati unga unga paakawira vakamira vakati kanha kutarira. Asi Joabhu naAbhishai vakaramba vachingodzingirirana naAbhuneru. Kuzoti zuva rodoka vakasvika kuchikomo cheAma chokunge tava kuda kusvika kuGia munzira yokurenje reGibheoni. VokwaBhenjamini vakaunganidzana kuna Abhuneru vakaita chikwata chimwechete, vakandomira pamusoro pechikomo. Abhuneru akadaidzira kuna Joabhu achiti, “Ko iro bakatwa rokuuraya vanhu risisakandwe pasi, ndohwava upenyu here? Hauzive here kuti magumo acho anorwadza kwazvo? Kusvikira rini chaizvo usati wati vanhu vokwako vadzoke varege kuronda hama dzavo?” Joabhu akati, “NaMwari chaiye mupenyu, dai wanga usina kutaura saizvozvo chokwadi varume ava vaitosvikira mangwana mangwanani vachingoronda chete hama dzavo idzodzo.” Nokudaro Joabhu akaridza hwamanda vanhu vose vakamira vakabva varega kuronda vokwaIsiraeri ndokubva varega kuramba vachirwa. Abhuneru navanhu vake vakararirofamba usiku ihwohwo nomuArabha vakayambuka Jorodhani vakafamba mangwanani ose vakasvika kuMahanaimu. Joabhu akadzoka mukuronda Abhuneru. Paakaunganidza vanhu vose pamwechete pakaonekwa kuti kuvanhu vokwaDhavhidhi, varume gumi navapfumbamwe pakanga pasina tisingaverengere Asaheri. Asi ivo vokumakurukota okwaDhavhidhi vakanga vauraya vanhu vokwaBhenjamini mazana matatu avarume ana varume makumi matanhatu evokwaAbhuneru. Vakatora Asaheri vakamuviga muguva rababa vake kuBheterehemu. Joabhu navanhu vake vakararirofamba usiku hwose vakaedzerwa vava kuHebhuroni. Kwakaitika hondo kwenguva ndefu kwazvo pakati pemhuri yokwaSauro neyokwaDhavhidhi. Dhavhidhi akaramba achisimbarara, uku vemhuri yokwaSauro vakaramba vachiderera. Dhavhidhi wakabereka vana vakomana kuHebhuroni. Dangwe rake ndiAmoni waakaberekerwa naAhinoamu wokuJezireeri. Wechipiri ndiKireabhu waakaberekerwa naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari wokuKarimeri. Wechitatu ndiAbhusharomu waakaberekerwa naMaaka, mukunda waTarimai, mambo weGeshuri. Wechina ndiAdhoniya waakaberekerwa naHagiti. Wechishanu ndiShefatiya waakaberekerwa naAbhitari. Wechitanhatu ndiItireamu wokuEgira mudzimai waDhavhidhi Ivava ndovana vaDhavhidhi vakomana vakaberekerwa muHebhuroni. Hondo payaingunotsviriridza kudaro pakati pemhuri yokwaSauro nemhuri yokwaDhavhidhi, Abhuneru akanga achitoita kuti ukuru hwake hudzike midzi mumhuri yokwaSauro. Zvino Sauro aiva nomurongo wake ainzi Rizipa mwanasikana waAiya. Ishibhosheti akabvunza Abhuneru kuti, “Wapindwa nei kubva wapinda mumba nomurongo wababa vangu?” Abhuneru akashatiriswa kwazvo nezvakataurwa naIshibhosheti izvi akati, “Heya unoti ndiri mbwaka ini, yokwaJudha? Iye nhasi uno ndiri munhu ano mwoyochena kumhuri yokwaSauro, baba vako nokuvakoma navanun'una vavo, neshamwari dzavo. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Asi zvino wava kundipa mhosvaka iwe yezvomukadziwo zvake. Mwari ngaandione, asve andiomesera kwazvo iyeni Abhuneru kana ndikarega kuchiitira Dhavhidhi zvaakamutsidzira, zvokubvisa umambo mumba yokwaSauro agoita kuti umambo hwaDhavhidhi hudzike midzi muIsiraeri nokwaJudha, kubvira kwaDhani kusvikira kuBheerishebha.” Ishibhosheti haana kana kuzokwanisa kumupindura chinhu nokuti akanga ava kumutya. Abhuneru akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuHebhuroni kundoti, “Muridzi wenyika ino ndiani? Imi neni ngatiitei chibvumirano. Zviripo ndezvizvi ini ndichakubatsirai kuunganidza Isiraeri yose kwamuri.” Akati, “Zvakanaka, ngatiitei zvedu chibvumirano. Asi chinhu chimwechete chandinokumbira kwauri ndechichi chokuti: handidi kuonana newe kusatoti wauya naMikari, mukunda waSauro paunouya kuzondiona.” Dhavhidhi akabva atumirawo nhume kuna Ishibhosheti mwanakomana waSauro kundoti, “Ndipe kuno mukadzi wangu, Mikari wandakaroora nezana rezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia.” Ishibhosheti akatumirawo nhume akamutora kumurume wake Paritieri mwana wavaRaishi. Asi murume wake akaendawo naye achimutevera achichema nzira yose kusvikira kuBhahurimu. Abhuneru akazomuti, “Chienda, chidzokera.” Iye ndokudzokera. Abhuneru akataurirana navakuru vakuru vokwaIsiraeri kuti, “Kwenguva yapera iyi manga muchingunotsvaka kuti Dhavhidhi ave mambo wenyu. Zvino dai machiita zvenyu kudaro nokuti Tenzi akatotsidzira Dhavhidhi kuti, ‘Ndichashandisa muranda wangu, Dhavhidhi kununura vanhu vangu vaIsiraeri mumaoko avaFirisitia nomumaoko avavengi vavo vose.’ ” Abhuneru akataurawo nevokwaBhenjamini akandosvitsawo munzeve dzaDhavhidhi kuHebhuroni, zvinhu zvose zvakanga zvakanaka mukuona kwevokwaIsiraeri nomukuonawo kwavose vedzinza rokwaBhenjamini. Abhuneru akasvika kuna Dhavhidhi kuHebhuroni aina makumi maviri avarume. Dhavhidhi akaitira Abhuneru navarume vaaiva navo mabiko. Abhuneru akati kuna Dhavhidhi, “Chiregai ndisimuke ndiende zvangu ndindounganidza Isiraeri yose pasi penyu mambo, changamire kuti vaite chibvumirano nemi uyewo kuti mugotonga nyika yose imi muchifadzwawo nazvo.” Naizvozvo Dhavhidhi akati Abhuneru aende zvake, Abhuneru ndokuenda zvake zvakanaka. Pakarepo makurukota okwaDhavhidhi akabva ati tutururu vhe vaina Joabhu vachibva kundopamba vakagukuchira zvinhu zvakawanda kwazvo zvavakanga vapamba. Asi Abhuneru akanga atobva kare pana Dhavhidhi kuHebhuroni nokuti akanga ati aende zvake iyewo ndokuendawo zvake zvakanaka. Pakasvika Joabhu nehondo yose yaaiva nayo, vanhu vakataurira Joabhu kuti, “Abhuneru mwanakomana waNeru auya kuna mambo, ivo vatomurega zvavo akaenda, akatoendawo zvake zvakanaka.” Joabhu akabva aenda kuna mambo akati, “Ko ndochii ichochi chamaita? Abhuneru kutouya zvake kwamuri kuno, sei imi mamurega achienda? Kuendaka kwaatoita ikoku. Zivai kuti Abhuneru mwana waNeru chaichoicho chaanga avinga kuno kuzokunyengedzai nokuongorora mafambiro enyu nokuzivurura zvose zvamuri kuita.” Joabhu paakangoti ibvei pana Dhavhidhi, akatuma nhume kutevera Abhuneru. Dzakadzoka naye kubva kutsime repaSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva. Pakadzoka Abhuneru kuHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi munhandare yesuo guru reguta kuti ambotaurirana zvake kazevezeve naye. Ipapo ndopaakamubhovhora mudumbu akabva afa kuri kutsividza ropa romunun'una wake Asaheri raakadeura. Kuzoti Dhavhidhi paakazvinzwa akati, “Ini nevokwangu tichagara nariini wose tisina mhosva pana Tenzi yokudeura ropa raAbhuneru mwanakomana waNeru. Ngaipfukire iye Joabhu navose vemba yokwababa vake. Mumhuri yokwaJoabhu ngamurege kushayikwa vanhu vanotambura neizvi zvinoti: chirwere chezvinobuda mumuviri, namaperembudzi navanotoda mudonzvo kuti vafambe navanoita zvokuurayiwa nebakatwa kana vanofa nenzara!” Ndozvakaita Joabhu nomunun'una wake Abhishai, vakauraya Abhuneru nokuti Abhuneru akanga auraya munun'una wavo Asaheri muhondo kuGibheoni. Dhavhidhi akati kuna Joabhu nokuvanhu vose vaiva naye, “Bvarurai hanzu dzenyu mupfeke masaga mucheme Abhuneru.” Mambo Dhavhidhi pachavo vakatevera banda raiva nechitunha. Vakaviga Abhuneru kuHebhuroni. Mambo vakaridza mhere vakahwihwidza kuchema vari paguva raAbhuneru, vanhu vose vakahwihwidzawo kuchema. Dhavhidhi akaimba rwiyo rwengondo kuchema Abhuneru achiti: “Abhuneri kufa here chokwadi serema kudai. Haunaka iwe kumbosungwa maoko; makumbo ako ngetani hadzizivi. Mufiro wako ndowa avo chete, vanofa mumaoko avakaipa.” Vanhu vose vakahwihwidza kumuchema. Vanhu vose vakauya kuzonyengetedza Dhavhidhi kuti awane chaangadye zuva risati radoka. Asi Dhavhidhi akatsidza kuti, “Mwari ngaandione asve andiomesera kwazvo kana ndikaruma chingwa mukanwa mangu kana chimwewo zvacho zuva risati radoka!” Vanhu vakazviona zvikavafadza. Zvose zvakaitwa namambo zvakafadza vanhu vose. Naizvozvo vanhu vose nevokwaIsiraeri vose vakazviziva zuva iroro kuti chakanga chisiri chido chamambo chokuti Abhuneru mwanakomana waNeru aurayiwe. Mambo akati kumakurukota ake, “Hamuzive here kuti nhasi uno muIsiraeri tashayikirwa nachangamire chaivo, gamba chairo? Kunyange zvazvo ndakagadzwa umambo, zvanhasi uno izvi ini zvandipedza simba ini. Zvavana Zeruya ava zvandiomera. Tenzi ngaarange munhu wakaipa zvakakodzerana nouipi hwake.” Kuzoti Ishibhosheti mwanakomana waSauro anzwa kuti Abhuneru akafira kuHebhuroni zvakamupedza simba, zvikakangaidzawo vokwaIsiraeri vose. Zvino mwana waSauro uyu aiva navarume vaviri vaiva vokutungamirira zvikwata zvavapambi. Mumwe ainzi Bhaana, mumwe achinzi Rekabhu vanakomana vaRimoni mumwe murume wokwaBhenjamini wokuBheeroti (nokuti Bheeroti iyi inonzi ndeye vokwaBhenjamini. Bheeroti akatizira kuGitaimu, nanhasi wose achiri kugarako somutorwa). Jonatani mwanakomana waSauro akanga aine mwana wake mukomana akaremara makumbo. Zvakanga zvaitika ndezvizvi: mwana uyu aine makore mashanu pakauya shoko riya rezvaSauro naJonatani richibva kuJezirieri; mureri wake akangoti nho mwana ndokutiza. Achingunotiza kudaro zvechimbichimbi, mwana ndiye pasi pu achibva aremara. Mwana uyu ainzi Mefibhosheti. Zvino vana vaRimoni wokuBheeroti vanaRekabhu naBhaana vakasimuka vakandosvika kumba kwaIshibhosheti zuva richirova nhongonya iye akanga ari panguva yake yamasikati yokuzorora. Vakapinda mumba yomukati vachiita sokunge vari kuda kundotora koroni vakabva vamubhovhora padumbu. Rekabhu nomunun'una wake Bhaana ndokubva vatiza. Vakapinda mumba make, iye ari kutsi kwehope pamubhedha pake kudaro, vakamubaya vakamuuraya vakamudimura musoro. Vakatakura musoro wake vakararirofamba usiku hwose nomunzira yokuArabha. Vakasvika nomusoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi kuHebhuroni. Vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu aida kukuurayai. Mambo changamire, Tenzi akutsivirai Sauro navana vake nhasi uno.” Asi Dhavhidhi akapindura Rekabhu nomunun'una wake Bhaana vanakomana vaRimoni vokuBheeroti achiti, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu akandinunura munjodzi dzose kuti mumwe paakandiudza kuti, ‘Sauro afa uku,’ achifunga kuti ari kutondiunzira dama rakanaka, ndakamubata ndikamuuraya kuZikiragi. Ndiwo mubayiro wandakamupa. Ndoda kutozoti apa, vanhu vakaipa vatouraya zvavo mururami mumba make ari pamubhedha wake; imi ndimi vandichaita kuti muripe ropa romunhu iyeyo nokukutsakatisai panyika kwandichaita.” Dhavhidhi akabva atuma majaya ake, akavauraya akavadimura maoko netsoka, vakavasungirira pedyo nedziva kuHebhuroni. Asi musoro waIshibhosheti vakautora vakauviga muguva raAbhuneru kuHebhuroniko. Madzinza ose okwaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni akati, “Zvamuchione, izvozvi tiri hama nehama, vanhu veropa rimwechete chairo nemi. Nezuro uno, Sauro achiri mambo wedu, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamirira Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi akakutii, ‘Iwe ndiwe uchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri uchava ishe weIsiraeri.’ ” Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo mambo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni ikoko, pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri. Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakatanga kutonga, akatonga kwamakumi mana amakore. Akatonga vokwaJudna kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu ari kuHebhuroni. Akazotongawo kwaIsiraeri kwose nokwaJudha kwamakore makumi matatu namatatu ari kuJerusaremu. Mambo navarwi vake vakaenda kuJerusaremu vachivinga vaJebhusi vagari venyika iyoyo ivo vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi unodzingwa iwe kunyange namapofu nezvirema chaizvo,” vachifunga kuti Dhavhidhi haambofa akamupinda. Zvakadaro zvazvo Dhavhidhi akakurira Guta retsvingo reZioni ndorakarewo rinonzi guta raDhavhidhi. Musi iwoyo Dhavhidhi akati, “Anenge achida kuuraya vaJebhusi ngaakwidze nomumugero wemvura uyu arwise zvirema namapofu vandiri kuvenga kwazvo ini Dhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “Mapofu nezvirema havafaniri kupinda muTembere.” Dhavhidhi akagara nhare yokuzvidzivirira muhondo akaitumidza zita rokuti Guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka guta iri kuritenderedza kubvira pakaitwa zvokuzadzwa mavhu zvichienda mukati. Ukuru hwaDhavhidhi hwakaramba hwongoenderera mberi nokuti Tenzi, Mwari wegurusvusvu rehondo aiva naye. Hiramu, mambo weTire akatumira Dhavhidhi nhume nemapango omusidhari pamwechete navanhu vokuveza miti namatombo vakavakira Dhavhidhi muzinda. Dhavhidhi akazviona kuti Tenzi akanga aita kuti umambo hwake hwokwaIsiraeri hudzike midzi, uye kuti akanga asimudzira umambo hwake pamusana pavanhu vake vaIsiraeri. Dhavhidhi akaroorazve vamwe vakadzi navarongo kuJerusaremu mushure mokunge atama kuHebhuroni. Dhavhidhi akaberekazve vamwe vana vakomana navasikana. Mazita avana vake vakaberekerwa kuJerusaremu ndeaya anoti: Shamua naShobhabhu naNatani naSoromoni; kwouya Ibhari naErishua naNefegi naJafia; ndokuzouya Erishama naEriyadha naErifareti. VaFirisitia pavakanzwa kuti Dhavhidhi agadzwa umambo hwokwaIsiraeri, vaFirisitia vose vakaenda kundovhima Dhavhidhi, asi zvakasvika munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akabva aenda kunzvimbo yokuzvidzivirira muhondo. VaFirisitia vakauya ndokuita zararira nebani revaRefaimu. Dhavhidhi akada kunzwa kuti Tenzi anotii nazvo, akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFirisitia ava? Muchavaisa mumaoko angu here?” Tenzi akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako, nokuti zviri zvokuvaisa mumaoko ako, ndichavaisa mumaoko ako.” Nokudaro Dhavhidhi akaenda kuBhaariperizimu. Dhavhidhi akavakurira ikoko akati, “Tenzi andieredzera vavengi vangu sokueredza kunoita mafashamo emvura.” Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Bhaariperazimu. VaFirisitia vakasiya zvifananidzo zvavo zvokunamata; Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo. VaFirisitia vakauya zvakare ndokuita zararira nebani rokuvaRefaimu. Dhavhidhi paakada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, Mwari akati, “Rega kubva wananga pavari. Asi ita zvokuvanyangira neseri kwavo uvafute nokumiti yemibharisamu. Paunozongonzwa chete mutsindo wokufamba pamusoro pemiti yemibharisamu mobvawo mati navo koke koke kuvarwisa nokuti Tenzi anenge atotungamira mberi kwenyu kundorwisa hondo dzavaFirisitia.” Dhavhidhi akaita zvaakaudzwa naTenzi akarakatisa kuuraya vaFirisitia kubvira kuGebha kusvikira kuGezeru. Dhavhidhi akaunganidzazve zviuru zvitatu zvavarume vano chaivo vakatoita zvokusarudzwa muIsiraeri. Dhavhidhi akasimuka akaenda navanhu vose vaaiva navo vachibva kuBhaarijudha kuti vandouya nebhokisi raMwari rechitenderano rinodaidzwa nezita, zita raTenzi wehondo nehondo anogara pane makerubhu ari pamusoro paro. Vakatakurira bhokisi raMwari rechitenderano pachikochikari chitsva. Vakariburitsa mumba maAbhinadhabhu yaiva pachikomo. Vanakomana vaAbhinadhabhu, vanaUza naAhio ndovaichaira chikochikari chitsva ichi. Chaiva nebhoksi raMwari rechitenderano Ahio ndiye ainge akatungamirira mberi kwebhokisi rechitenderano. Dhavhidhi nemhuri yose yeIsiraeri vaifara vachipemberera Tenzi napose pavaigonera nedzimbo vaine zvokuridza zvakavezwa zvomuti womusaipurasi kuchiti: uku runoridza zvipendani, uku rumwe runoridza madimbwa, vamwe vachiridza ngoma, vamwe vachiridza makwakwakwa omuti neesimbi. Kuzoti vasvika paburiro rokwaNakoni, Uza akabata bhokisi raMwari rechitenderano kurigamha nokuti nzombe dzakanga dzati dzadzarikei. Tenzi akavirukira Uza nehasha. Mwari akabva amuuraya. Kuurayiwa kwakaitwa Uza naTenzi kwakashungurudza Dhavhidhi. Nzvimbo iyi inonzi Pereziuza nanhasi uno. Musi iwoyu, Dhavhidhi akatya Tenzi akati, “Zvino bhokisi raTenzi rechitenderano, kwangu uku, ringasvike sei pakadai?” Nokudaro Dhavhidhi akaramba kuenda nebhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi. Asi Dhavhidhi akatsaukira naro mumusha waObhedhiedhomu muGiti. Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara mumba maObhedhiedhomu muGiti kwemwedzi mitatu. Tenzi akabvawo akomborera Obhedhiedhomu nemhuri yake yose. Shoko rakasvika munzeve dzamambo Dhavhidhi rokuti, “Uku Tenzi akatokomborera mhuri yaObhedhiedhomu pamwechete nezvose zvaaiva nazvo pamusana pebhokisi raMwari rechitenderano.” Ipapo Dhavhidhi akadzikako akandotora bhokisi raMwari mumba maObhedhiedhomu, akaenda naro kuGuta raDhavhidhi achipembera kufara. Vakanga vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano pavakangoti fambei nhanho nhanhatu, akabvawo apira chibayiro chemombe nechimhuru chakakodzwa. Dhavhidhi akatamba achipemberera Tenzi napose paaigonera. Izvozvo Dhavhidhi akanga akapfeka efodhi yerineni. Saizvozvo Dhavhidhi nemhuri yose yeIsiraeri ndokuunza kwavakaita bhokisi raTenzi rechitenderano kuchipururudzwa, hwamanda ichidandaura. Kuzoti zvino bhokisi raTenzi ropinda muguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarisa napahwindho. Akaona mambo Dhavhidhi chiri chamuchachari chaicho kutamba achipemberera Tenzi, Mikari uyu akabva amushora chaizvo nechomumwoyo. Vakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano vakariisa panzvimbo yaro mukati metendhe rarakanga ragadzirirwa naDhavhidhi. Dhavhidhi akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana kuna Tenzi. Pakapedza Dhavhidhi kupira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana akakomborera vanhu nezita raTenzi wehondo nehondo. Akazogoveranisa vanhu vose, gungano rose zvaro reIsiraeri, varume navakadzi zvokudya zvinoti: chingwa nenyama yechirango nechitsumbu chamagirepisi akaomeswa pamunhu. Vanhu vose vakati uyu kwake, uyu kwake voenda zvavo kumisha yavo. Dhavhidhi akadzokera kundokomborera mhuri yake. Mikari mukunda waSauro akauya kuzochingurana naDhavhidhi, ndokubva ati, “Mambo weIsiraeri nhasi uno ashamisira zvinogara zvakadaro, kupfekenura here chokwadi pane varanda vechikadzi vemakurukota ake kudaro, sedzenga romunhu rinonyatsozvifumura zvaro pachenachena!” Dhavhidhi ndokuti kuna Mikari, “Heekaka. NdiTenzi wazvanga zvichiitirwa akasarudza ini kutsiva baba wako navose zvavo vemhuri yokwake achindisarudzira kuva ishe wavaIsiraeri, vanhu vaTenzi. Zvokupemberera Tenzi izvozvo, ndozvandichaita zvacho. Ndichatofumuka kwazvo kupfuura ipapa kuri kuzvidukupisa. Asi varanda vechikadzi vawareva ivavo, ndivo vacho vachandiremekedza.” Mikari mukunda waSauro akadzamara kusvika pazuva rake rokufa asina mwana. Mambo paakanga zvino anyatsogarawo mumuzinda wake, Tenzi amupawo runyararo kuvavengi vake kumativi ose, akataurira muporofita Natani kuti, “Tarisai muone ini ndachidai kugara mumba yakashongedzwa nomusidhari asi uku bhokisi raMwari rechitenderano rakangoti njo mutendhe zvamo.” Natani akati kuna mambo, “Endai zvenyu muite zvose zviri mumwoyo menyu nokuti Tenzi anemi.” Asi usiku hwakarehwo, shoko raTenzi rakasvika kuna Natani richiti, “Enda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti zvanzi naTenzi, ndiwe here ungandivakire imba yokugara? Handinaka ini kumbogara mumba kubvira pandakaburitsa vaIsiraeri kuIjipiti kusvikira pari nhasi. Asi kwose kwandanga ndichienda, tendhe ndoyanga ichingova imba yangu yokugara. Kwose kwandakafamba navaIsiraeri vose ndakambotaurawo here chinhu kuvatongi vevaIsiraeri vandaipa basa rokufudza vanhu vangu vaIsiraeri kuti, uri kuregerei kundivakira imba yakashongedzwa nomusidhari? Zvino chienda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo, ndakakutora kumafuro kwawaifudza zvipfuwoka iwe kuti uve ishe wavanhu vangu, vaIsiraeri. Ndaiva newe kwose kwawaifamba, ndikakutsakatisira vavengi vako vose. Zvino ndichaita kuti zita rako rive nomukurumbira mukuru kwazvo sezvakangoita mazita avakuru vakuru vapanyika. Ndinotsvakira vanhu vangu vaIsiraeri pokugara, ndovasimapo kuti vagarewo pavo vasisambofuruswa, vaipi vasisambovatambudza sezvavaivaita kare kubvira panguva yandaisarudzira vanhu vangu vaIsiraeri, vatongi. Ndichakupawo zororo kuvavengi vako vose. Uyewo Tenzi anoti kwauri iye Tenzi ndiye achatokuvakira imba. Mazuva ako akange akwana, wafa waendawo kwakaenda vamwe kumadzibaba ako, ndichamutsa mushure mako mumwe mwana wako wauchabereka iyewe pachako. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi. Iyeyo ndiye anofanira kuvaka imba yacho yokuisa zita rangu. Ndichaita kuti umambo hwake hurambe huripo narini wose. Ini ndichange ndiri baba kwaari, iyewo ari mwana kwandiri. Kana akaita zvakaipa, ndichamutumira shamhu yavanhu yokumuranga achidakarirwa kurohwa navanhu. Asi handizobvisa mwoyo wangu paari sezvandakaita kuna Sauro wandakabvisa kuti iwe upinde. Imba yako hairove kwandiri, umambo hwako huchavako narini wose. Umambo hucharamba huri mumba mako.” Natani akarondedzera Dhavhidhi mashoko iwaya ose achimutaurirawo chiratidzo ichochi chose. Mambo Dhavhidhi akapinda akagara pana Tenzi akanamata achiti: “Ndiri aniwo zvangu nhai Tenzi Mwari? Kana iyowo mhuri yokwangu, chiiwo zvayo, kundisvitsawo pakadai? Sokunge izvozvi zvisina kukwana kwamuri imi Tenzi Mwari; masvika pokutotaura nezvichazoitika mangwana, namangwana ayo kumhuri yeni muranda wenyu. Ndiwo maitiro enyu here iwaya kuvanhu, nhai Tenzi Mwari? “Pakadai apa, ko ini Dhavhidhi chii chimwewo chandingataure kwamuri? Munondiziva wani ini muranda wenyu imi Tenzi wangu Tenzi Mwari. “Chido chenyu zvenyu kuti muite chinhu chikuru chakadai uye kuti muzvizivisewo kuneni muranda wenyu. “Naizvozvo muri mukuru mukuru chaiye imi Tenzi Mwari nokuti hakuna angamboenzaniswe nemi uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu imi maererano nezvose zvatakanzwa nenzeve dzedu. “Ndorupi rudzi panyika rwakaita savanhu venyu vaIsiraeri, runa Mwari akaenda kundovanunura kuti vave vanhu vake uye kuti azviwanire zita, achivaitira mabasa makuru anotyisa nokudzingira kunze marudzi navamwari vavo, kutiira vanhu vake ivavo vaakanunura kuIjipiti? “Makaitawo kuti vaIsiraeri vave vanhu venyu chaivo nokusingaperi imiwo Tenzi muchiva Mwari wavo. “Zvino imi Tenzi Mwari chizadzikisai waro nokusingaperi zvamakareva nezvangu ini muranda wenyu nemhuri yangu, muite sokuvimbisa kwamakaita; kuti zita renyu riende mbiri nokusingaperi zvichinzi, ‘Tenzi wehondo nehondo ndiye Mwari weIsiraeri;’ uye imba yangu ini Dhavhidhi muranda wenyu imire. “Pamusana pokuti imi Tenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri mandidurira pachena kuti, muchandivakira imba, ndokusakawo ini muranda wenyu ndaita simba rokuita munamato wakadai kwamuri. “Zvino Tenzi Mwari, imi ndimi Mwari wangu. Zvamunoreva zvichaitika zvechokwadi, uyewo mavimbisa zvinhu izvi zvakanaka kudai kuneni muranda wenyu. “Zvino chikomborerai waro imba yangu ini muranda wenyu kuti irambe yakangoti nemi kwati kwati nokuti imi Tenzi Mwari ndimi mazvireva, naizvozvo namakomborero enyu iwayo, mhuri yangu ini, muranda wenyu ichava mhuri yakakomborerwa chaizvo narini wose.” Gare gare Dhavhidhi akakurira vaFirisitia akavaisa pasi pake, akatorera vaFirisitia Metehagama. Akakurirawo Moabhu akati vanhu vacho vati rare rare pasi. Akatora tambo akavaera katatu katatu nourefu hwayo vakangodaro achiuraya vomuchikamu chokutanga nechechipiri, vomuchikamu chechitatu akavarega vari vapenyu. VaMoabhu vakava varanda kuna Dhavhidhi vakatera mutero kwaari. Dhavhidhi akakurirawo Hadhadhiezeri, mwanakomana waRehobhu mambo wokuZobha paakanga achienda kundorwisa nyika yokuna Yufuratesi kuti idzokere mumaoko ake. Dhavhidhi akamutorera vachayiri vengoro dzehondo, chiuru chimwechete chavachayiri navachayiri mazana manomwe pamwechete navarwi vetsoka makumi maviri echuru. Dhavhidhi akadimura matatira amabhiza ose engoro dzehondo ndokungosiya anokwanirana nezana rengoro dzehondo. VaSiria vokuDhamasikusi vakauya kuzobatsira Hadhadhiezeri mambo wokuZobha. Dhavhidhi akauraya varume makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri zvavaSiria. Munyika yeAramu kuDhamasikusi, Dhavhidhi akaisa zvikwata zvikwata zvavarwi, vaSiria vakava varanda kuna Dhavhidhi vachitotera mutero. Tenzi akaita kuti Dhavhidhi akurire kwose kwose kwaaienda. Dhavhidhi akatora nhoo dzendarama dzakanga dzakatakurwa namakurukota aHadhadhiezeru akadziunza kuJerusaremu. Mambo Dhavhidhi akakukuchawo ndarira yakawanda kwazvo kuBheta nokuBherotai maguta aHadhadhiezeru. Mambo Toi paakanzwa kuti Dhavhidhi akakurira hondo yose yaHadhadhiezeru, Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kundomukwazisa nokumukorokotedza nokuti akanga arwisa Hadhadhiezeru akamukurira. Chaivapo ndechokuti Hadhadhiezeru aigarorwisana naToi. Joramu uyu akauya nezvinhu zvesirivha nendarama nendarira. Mambo Dhavhidhi akatsaurirawo zvinhu izvozvi kupira kuna Tenzi pamwechete nesirivha nendarama yaakatsaurira kupira kuna Mwari yabva kunyika dzose dzaakakurira dzinoti: Edhomu neMoabhu nevaAmoni nevaFirisitia neAmareki neyepazvinhu zvakapambwa zvaHadhadhiezeru mwanakomana waRehobhu mambo wokuZobha. Dhavhidhi akazviwanira zita paakadzoka kwaakanga andorakatisa gumi rezviuru rine zviuru zvisere zvavaSiria mubani romunyu. MuEdhomu akaisamo zvikwata zvikwata zvavarwi. Munyika yose zvayo yeEdhomu akaisa zvikwata zvavarwi. VaEdhomu vose zvavo vakava varanda kuna Dhavhidhi. Tenzi akaita kuti Dhavhidhi akurire kwose kwose kwaaienda. Nokudaro Dhavhidhi akatonga Isiraeri yose zvayo. Dhavhidhi uyu aitonga vanhu vake zvine ruenzaniso uye nomazvo chaimo. Izvozvo Joabhu mwanakomana waZeruya ainge ari mutungamiriri wehondo, Jehoshafati mwanakomana waAhirudhu ariye samunyori. Zadhoki mwanakomana waAhitubhu naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari ndovaiva vapristi, Seraya ari munyori. Bhenaya mwanakomana waJehoiadha aiva mukuru mukuru wevokuchengeta mambo, maKereti nemaPereti, ukuwo vana vaDhavhidhi vakomana vari vapristi. Dhavhidhi akati, “Kuchino mumwe here wemba yokwaSauro achiripo wandingaitire mwoyochena pamusana paJonatani?” Zvino kwakanga kuno mumwe muranda weimba yaSauro ainzi Zibha, vakamudaidza kuti auye kuna Dhavhidhi. Mambo akamubvunza kuti, “Ndiwe Zibha here? Iye akati, ‘Ndiye uno muranda wenyu changamire.’ ” Mambo akati, “Kuchino mumwe here wemba yokwaSauro achiripo wandingaitire mwoyochena waMwari?” Zibha akati kuna mambo, “Hongu kuchino mwanakomana waJonatani akaremara tsoka dzose dziri mbiri.” Mambo Dhavhidhi ndokubva ati kwaari, “Zvino ari kupiko?” Zibha ndokuti kuna mambo, “Ari kuRodhebhari, kumba kwaMakiri, mwanakomana waAmieri.” Mefibhosheti, mwanakomana waJonatani mwana waSauro, akauya kuna Dhavhidhi akasvikomugwadamira achimuremekedza. Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti,” Iye akati, “Ndini muranda wenyu changamire.” Dhavhidhi akati kwaari, “Usatye zvako nokuti zvokukuitira mwoyochena ndinofanira kukuitira mwoyochena chaizvo pamusana pababa wako Jonatani. Ndichadzosera kwauri minda yose yokwaSauro vasekuru vako, uyezve uchange uchidya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.” Iye akamugwadamira kumuremekedza akati, “Ko iyeni muranda wenyu ndiri chiiwo zvangu, kwamuri iyemi, imbwawo zvangu yakafa kudai, wamungabva matarisawo kudai.” Mambo akadaidza Zibha muranda waSauro akamuti, “Zvose zvokwaSauro nemhuri yake yose ndazvipa kumwanakomana watenzi wako. Zvino iwe navanakomana vako navaranda vako munofanira kumurimira munda muchimuigira zvinobva mumundamo kuitira kuti mwanakomana watenzi wako awane chokudya. Asi Mefibhosheti uyu mwanakomana watenzi wako achange achidya chokudya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navana vakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri. Zibha akati kuna mambo, “Changamire mambo, zvose zvamati ini muranda wenyu ndiite ndozvandichaita.” Nokudaro Mefibhosheti akazenge ava kudya pamwechete naDhavhidhi pateburu yake sezvakangoitawo mumwe mwanakomana wamambo. Mefibhosheti aiva nomwana muduku mukomana ainzi Mika. Vose vaigara mumusha waZibha vakabva vava varanda vaMefibhosheti. Naizvozvo Mefibhosheti akagara muJerusaremu nokuti ainge achidya pamwechete namambo pateburu yake. Izvozvo akanga akaremara makumbo ake ose ari maviri. Mushure mezvizvi mambo wevaAmoni akafa ndokubva mwanakomana wake Hanuni amutsiva pakutonga. Dhavhidhi akati, “Ndicharamba ndiine mwoyo wakanaka kuna Hanuni mwanakomana wavaNahashi, mwoyo wandakaitirwawo nababa vake.” Saizvozvo Dhavhidhi akatuma makurukota ake kundomubata maoko pamusana pababa vake. Makurukota aDhavhidhi akasvika munyika yevaAmoni. Asi machinda evaAmoni akati kuna changamire wavo Hanuni, “Munofunga kuti izvozvi Dhavhidhi kukutumirai nhume kuzokubatai maoko kwaaita uku kuremekedza baba venyu nhai? Dhavhidhi haana here kutumira makurukota ake kuzoongorora guta rino nokurisora kuti varikurire.” Saka Hanuni akabata makurukota aDhavhidhi akaaveura rumwe rutivi rwose rwendebvu mumwe nomumwe, akacheka napakati hanzu dzavo nechapahudyu akavati vachienda. Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akatuma vanhu kundovachingura nokuti vakanga vachinyara zvikuru kwazvo. Mambo akati, “Imborambai muri kuJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzamera mugozoti modzoka zvenyu kuno.” VaAmoni pavakaona kuti vatomutsa ruvengo naDhavhidhi, vaAmoni ava vakatuma nhume kundokumbira varwi vachiita zvokutobhadhara mari kuvaSiria vokuBhetirehobhu nevaSiria vokuZobha. Vakawana makumi maviri ezviuru zvavarwi vetsoka vakati mambo wokuMaoka auyewo navarume chiuru chimwechete uyewo varume vokuTobhu gumi rezviuru rine zviuru zviviri. Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vano chaivo. VaAmoni vakauya vakaronganirana hondo pasuo guru. VaSiriawo vokuZobha nevokuRehobhu navarume vokuTobhu novokuMaaka vakanga vari pavowo voga musango. Pakaona Joabhu kuti hondo yavavinga, yatoita zvokuvakomba mberi neshure, akasarudza vamwe varwi mukati mevakanga vasarudzwa muIsiraeri vaya, akavaronga kuti varwisane nevaSiria. Vamwe varwi vake vose akavaisa mumaoko omunun'una wake Abhishai akavaronga kuti varwisane nevaAmoni. Akabva ati, “Kana ndichinge ndava kukurirwa navaSiria iwe unouya kuzondibatsira. Asi kana vaAmoni vava kukukurira ini ndichauya kuzonunura. Tsunga mwoyo tiite zvechirume tichiitira vanhu vedu namaguta aMwari wedu. Mwari ngaaite kuda kwake.” Saizvozvo Joabhu navarwi vaaiva navo vakatanga kuvinga vaSiria kundovarwisa vakabva vamutiza. VaAmori pavakangoona kuti vaSiria vatiza vakaitawo zvimwechetezvo vakatiwo ware kutiza Abhishai, vakapinda muguta. Joabhu akadzoka kwaakanga andorwisana nevaAmoni akaenda kuJerusaremu. Asi vaSiria pavakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakaunganidzana pamwechete. Hadhadhiezeru akatumira nhume dzikauya nevaSiria vokumhiri kwaYufuratesi. Vakauya kuHeramu vachitungamirirwa naShobaki mutungamiriri wehondo yaHadhadhiezeru. Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akakokorodza Isiraeri yose pamwechete akayambuka Jorodhani akaenda kuHeramu. VaSiria vakaronganirana kurwisa kuHeramu. VaSiria vakaronganirana kurwisa Dhavhidhi vakarwa naye. VaSiria vakabva vaparamuka kutiza Isiraeri. Dhavhidhi akarakatisa kuuraya vachairi vechiSiria vengoro dzehondo mazana manomwe pamwechete navarwi vemabhiza makumi mana ezviuru. Vakakuvadzawo Shobaki mutungamiriri wehondo akabva afira ipapo. Madzimambo ose akanga ari makurukota aHadhadhiezeru paakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakaita chibvumirano kuti pave nokuwirirana neIsiraeri vakabva vava varanda vavo. Naizvozvo vaSiria vakazenge vava kutya kununura vaAmoni. Muchirimo, nguva yepfumvudza, nguva yaiwanzoenda madzimambo kuhondo, Dhavhidhi akatuma Joabhu namakurukota ake pamwechete neIsiraeri yose. Vakandokurira vaAmoni, vakabva vorwisa Rabha. Asi Dhavhidhi akasara zvake kuJerusaremu. Zvakaitika kuti manheru zuva rarereka Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake ofamba-famba zvake padenga remba yamambo, ari padengapo akaona mukadzi aishamba muviri. Mukadzi uya akanga aine chimiro chakanaka kwazvo. Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi iyeyo ndiani. Mumwe akati, “Haasi Bhatishebha here, mwana waEriamu mudzimai waUriya muHiti?” Dhavhidhi ndokutuma nhume dzakandomutora. Mukadzi uyu akauya kwaari. Dhavhidhi akapinda mumba nomukadzi uyu. (Izvozvo mukadzi uyu ainge achitozvichenura pakun'ora kwaakanga aita.) Mukadzi uyu akazodzokera zvake kumba kwake. Akabata pamuviri akabva atumira shoko kuna Dhavhidhi rokuti, “Ndava napamuviri.” Dhavhidhi ndokutumira shoko kuna Joabhu rokuti, “Nditumire kuno Uriya muHiti.” Joabhu akatumira Uriya kuna Dhavhidhi. Pakasvika Uriya kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti zviri kufamba sei kuna Joabhu uye kuti vanhu vakadii zvavo uyewo kuti hondo iri kurwiwa zvakadii. Dhavhidhi akati kuna Uriya, “Chimboenda zvako kumba kwako umbondoshamba tsoka dzako uzorore.” Uriya akabuda mumuzinda wamambo achiteverwa pakarepo nechipo chakabviswa namambo. Asi Uriya akarara kumusuo womuzinda wamambo pamwechete navamwe vavaranda vatenzi wake. Haana kudzika kumba kwake. Pavakataurira Dhavhidhi kuti Uriya haana kudzika kumba kwake, Dhavhihdi akati kuna Uriya, “Ko hauna kubva parwendo here? Chawaregerera kudzika kumba kwako chii?” Uriya akati kuna Dhavhidhi, “Mungati uku bhokisi rechitenderano nevokwaIsiraeri nevokwaJudha, vagere kudaro mumisasa, uye changamire wangu Joabhu pamwechete namakurukota enyu changamire wangu vagere panze pachena kudaro, ini ndopondoenda zvangu kumba kwangu kundodya nokunwa nokutopinda zvangu mumba nomukadzi wangu here? Kana ndimiwo zvenyu munongozvionawo kuti ini pachangu handimbofa ndakaita chinhu chakadai.” Dhavhidhi ndokuti kuna Uriya, “Chiramba zvako uri pano nhasi, mangwana ndopandichakurega woenda zvako.” Saizvozvo Uriya akaramba ari muJerusaremu zuva iroro namangwana acho. Dhavhidhi akamukoka, iye akadya nokunwa pamwechete naye akasvika pakutomuraradzisa. Asi manheru acho Uriya akaenda akandorara pauriri hwake pamwechete navaranda vatenzi wake. Haana kudzika kumba kwake. Mangwanani acho Dhavhidhi akanyorera Joabhu tsamba akaitumira naiye Uriya. Mutsamba iyoyo akanyora kuti, “Isa Uriya kumberimberi chaiko kunenge kuchipisa hondo kwazvo mugodududza momusiya ari oga kuitira kuti auraiwe afe.” Joabhu paaingunorwisa guta iroro akatuma Uriya kwaaiziva kuti kune shasha chaidzo dzokurwa hondo. Varume vomuguta iri vakabuda vakarwisa Joabhu. Mukati mavanhu, mamwe makurukota aDhavhidhi akafa. Uriya muHiti akaurayiwawo. Joabhu akatuma shoko kuna Dhavhidhi rezvekurwa ikoku. Akarayira nhume iyi kuti, “Ukange wapedza kusvitsa shoko rezvekurwa iri kuna mambo, kana mambo akaviruka nehasha akati kwauri, ‘Pakurwa kwenyu makasvikirei pedyo neguta kudaro? Hamaizviziva here kuti vaizopfura vari parusvingo?’ Ko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhesheti ndiani? Haasiri mukadzi here akamudonhedzera huyo pamusoro kubva parusvingo akafira kuTebhezi? Chamakanga moenderawo pedyo norusvingo chii? Imi mobva mati, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo wani.’ ” Saizvozvo nhume iyi yakaenda ikasvika ikataurira Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumwa naJoabhu kundotaura. Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Vanhu ivavo vakambotikurira vakatibudira vachitivinga musango. Asi takazodzingirirana navo kusvikira kusuo guru reguta. Vemiseve vakapfura kwatiri isu varanda venyu kubva parusvingo. Mamwe makurukota enyu mambo akafa. Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo.” Dhavhidhi akati kunhume iyi, “Enda undoti kuna Joabhu izvi, ngazvirege kukutambudza zvako nokuti hondo inotora wayada. Rwisai nesimba muparadze guta iroro, umutaurire uchimusimbaradza.” Mukadzi waUriya paakanzwa kuti murume wake Uriya akafa akachema murume wake. Kuzoti nguva yokuchema kuya yapera, Dhavhidhi akati aunzwe kumba kwake, akava mukadzi wake akamuberekera mwana mukomana. Asi zvakanga zvaitwa naDhavhidhi izvi hazvina kufadza Tenzi. Tenzi akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari akamuti, “Kwaiva navamwe varume vaviri mune rimwe guta. Mumwe aiva mupfumi mumwe ari murombo. Mupfumi wacho aiva nemombe nezvimwe zvipfuwo namatanga. Asi murombo akanga asina nechinhu chose achingova chete nehwayana sheshe yaakanga atenga. Akairera ikakura ainayo pamwechete navana vake. Chaaidya ndochayaidyawo ichinwirawo mumukombe wake, ichitorara zvayo mumaoko ake, ichinge mwanasikana kwaari. Zvino mupfumi uyu akasvikirwa nomweni. Haana kuda kubayira mweni uya akanga amushanyira mombe kana chimwe chipfuwo chomudanga make. Asi kutoti akatora hwayana iya yomurombo akabayira muenzi uya akanga amushanyira.” Dhavhidhi akavirukira munhu iyeyo nehasha akati kuna Natani, “NaTenzi chaiye mupenyu, munhu iyeyo anofanira kufa. Anofanira kuripa hwayana iyoyo kakapetwa kana pamusana pezvaakaita izvozvo uye pamusana pokuti haana kuita tsitsi.” Natani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Iyemi ndimi munhu wacho. Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Ndakakugadza umambo hweIsiraeri ndikakununura mumaoko aSauro. Ndakakupa ini imba yaiva yatenzi wako, ndakaita kuti vakadzi vatenzi wako vave vako ndikaisa mumaoko ako mhuri yokwaIsiraeri neyokwaJudha, dai izvozvo zvanga zviri zvishoma ndingadai ndakakupa zvakapetwa kaviri. Wazvidzireiko zvakarehwa naTenzi uchiita zvisingadiwe naTenzi? Wakaurayisa Uriya muHiti nebakatwa, ukatora mukadzi wake uchimuita wako. Asi iye ukamuuraya nebakatwa revaAmoni. Saka naizvozvo hondo yebakatwa haibve mumba mako nokuti wandizvidza ukatora zvako mukadzi waUriya muHiti uchimuita wako.’ Zvanzi naTenzi, ‘Chinzwa unzwe ndichakumutsira zvimwe zvakaipa mumba mako chaimo. Ndichakutorera vakadzi vako iwe wakatarisa nameso ako ndovapa kune mumwe wako. Iye acharara navakadzi vako masikati machena nokuti wakazviita muchivande. Asi ini ndichazviita Isiraeri yose ichizviona, masikati machena.’ ” Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndakatadzira Tenzi.” Natani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Tenzi akuregererai chitadzo chenyu hamuchafa. Kunyange zvakadaro zvazvo, pamusana pokuti makatoshora Tenzi zvikuru kwazvo nezvamakaita izvozvo, mwana mukomana wamuchaberekerwa anofanira kutoti afe.” Natani akaenda zvake kumba kwake. Tenzi akazorova nedenda mwana uye akaberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya akabva arwara. Dhavhidhi akanamata kuna Tenzi achikumbirira mwana iyeyu. Dhavhidhi akatsanya akapinda mumba akapedza usiku akati pasi zvambarara. Vakuru vakuru vemumuzinda wake vakamira paaiva vachida kuti asimuke, asi akaramba, akarambawo kudya navo. Pazuva rechinomwe mwana uyu ndiye sarai. Makurukota aDhavhidhi akatya kumutaurira kuti mwana wafa vachiti, “Tarisai muone mwana paakanga achiri mupenyu takataura naDhavhidhi asi akaramba kutinzwa. Ko kuzoti iyezvino, tingamutaurire sei kuti mwana afa. Angadaro akazvikuvadza.” Asi Dhavhidhi paakaona makurukota ake achiita zevezeve vari pamwechete, Dhavhidhi akabva azivawo kuti mwana wafa. Dhavhidhi akati kumakurukota ake, “Mwana wafasu?” Ivo vakati, “Watisiya uya.” Dhavhidhi akati pasi kwanyanu akashamba akazvizora mafuta akapfeka dzimwe hanzu. Akapinda mumba yaTenzi akanamata. Akadzokera zvake kumba kwake. Akakumbira vakamugadzikira chokudya akadya. Makurukota ake akati kwaari, “Zvamaita izvi zvinorevei? Manga muchitsanya muchichema mwana paanga achiri mupenyu. Asi pazofa mwana masimuka mukadya.” Iye akati, “Mwana paanga achiri mupenyu, ndanga ndichitsanya ndichichema ndichiti hazvizikanwe zvimwe Tenzi angandinzwire tsitsi mwana akararama. Asi zvino zvaashaya kudai chii chandichatsanyira? Ndingakwanise here kumuti adzokere kuno zvakare? Ini ndini ndichatoenda kwaari, asi iye kwandiri kuno haadzokeri.” Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha akapindazve mumba naye vakagara vose akazobereka mwana mukomana. Dhavhidhi akamutumidza zita rokuti Soromoni, Tenzi akamuda. Akatumako muporofita Natani kuti amutumidze zita rokuti Yedhidhiya, akadariso ndiTenzi. Izvozvo Joabhu akarwisa Rabha guta revaAmoni. Akatanga akurira muzinda wamambo waivamo. Joabhu ndokubva atuma nhume kuna Dhavhidhi kundoti, “Ndakarwisa Rabha, ndikarikurira guta remvura. Saka zvino chiunganidzai vamwe varwi vose mukombe guta iri murikurire. Ndingazodaro ndikarikurira ndiri ini, guta rikazodaidzwa nezita rangu.” Saizvozvo Dhavhidhi akaunganidza varwi vose pamwechete. Akaenda kuRabha akarirwisa akarikurira. Akatorera mambo weko ngundu youmambo mumusoro yairema makumi matatu amakirogiramu ane makirogiramu mana endarama yakanga iine dombo rinokosha. Yakadzikwa mumusoro waDhavhidhi. Akakukucha zvinhu zvaakapamba mugutamo zvakawanda kwazvo. Akatinha vanhu vakanga varimo akavaendesa kuchibharo kundoshanda namajeko namapiki namatemo esimbi. Akavakanyisa zvidhinha. Ndozvaakaita kumaguta ose evaAmoni. Dhavhidhi navarwi vose vakazodzokera zvavo kuJerusaremu. Mushure maizvozvi zvakazoitika ndezvokuti Abhusharomu mwanakomana waDhavhidhi aiva nehanzvadzi yakanaka kwazvo yainzi Tamari yakadiwa nomumwewo mwanakomana waDhavhidhi ainzi Amunoni. Amunoni uyu akarwadziwa mwoyo chaizvo zvokutosvika pakurwara pamusana paTamari hanzvadzi yake. Zvakanga zviripo ndezvokuti sokuona kwaAmunoni hapana chaaigona kuita nokuti Tamari akanga achine umhandara hwake. Zvino Amunoni akanga aine shamwari yake yechikomana yainzi Jonadhabhu mwana waShimea mukoma waDhavhidhi. Jonadhabhu uyu akanga ari munhu akasvinuka zvikuru kwazvo. Akati kuna Amunoni, “Mwana wamambo kudai unosuruvarirei mangwanani oga oga? Haundiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Mwoyo wangu uri pana Tamari, hanzvadzi yomukoma wangu Abhusharomu.” Jonadhabhu akamurunya kuti, “Enda pamubhedha wako urare unge munhu arwara. Kana baba vako vazokutaurira woti kwavari, madii kuti hanzvadzi yangu Tamari auye kuzondipawo zvokudya, andibikirewo zvokudya ndiripo ndichiona, ndidye iye akandibatira.” Amunoni akandorara akanyepera kurwara. Pakauya mambo kuzomumaira, Amunoni akati kwaari, “Madii kuti hanzvadzi yangu Tamari auye kuzondibikira zvingwa zviviri ndichiona, ndidye akandibatira.” Dhavhidhi akabvawo atumira shoko kumba kuna Tamari rokuti, “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amunoni umubikire zvokudya.” Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni kuya kwaakanga ari, arere. Akakanya mukanyiwa akaumba zvingwa iye achiona akabva abika zvingwa izvi. Tamari akatora pani akamuperekera chingwa asi akaramba kudya. Amunoni akati, “Vamwe vose ngavabude muno mandiri!” Saizvozvowo munhu wose akabudamo maaiva. Amunoni ndokuti kuna Tamari, “Ndiigirewo zvokudya mumba muno kuti ndidye wakandibatirawo.” Tamari akatorawo zvingwa zvaakanga abika zviye ndokuigira hanzvadzi yake Amunoni mumba make. Asi paakati achisvika nazvo pedyo naye kuti achidya, akabva amuti kachi akamuti, “Hanzvadzi uya tirare tose.” Tamari akamuti, “Aiwa hanzvadzi! Rega kundibata chibharo. Zvakadai hazvifaniri kuitwa muIsiraeri. Usaite urombe hwakadai. Ko unoti ndinganyarire kupi? Kana uriwe ndopauchabva wava rimwe zirombe chairo muIsiraeri. Zvinoka ndateterera zvangu, dai wataura zvako namambo nokuti haangarambe kuti ndive wako.” Asi akaramba kumunzwa uye aiva ane simba kupfuura iye akamumanikidza akatadza naye. Amunoni akabva amuvenga zvokuvenga zviya zvokuti kumuvenga kwaakanga ava kuita kwakanga kwakura kupfuura kumuda kwaaita. Amunoni uyu ndokumuti, “Simuka, chibva pano.” Asi iye akati, “Kweteka hanzvadzi, nokuti kundidzinga kwawava kuita uku chinhu chakaipa kutopinda zvawaita kwandiri.” Asi haana kumunzwa. Amunoni akadaidza jaya akati “Buritsa mukadzi uyu muno mandiri uise chihuri.” Izvozvo akanga akapfeka mujiza wake murefu una maoko marefu nokuti vakunda vamambo vainge vachine umhandara vaipfeka mijiza yakadaro. Muranda wake akabva amuburitsa panze ndokuisa chihuri. Tamari akazvidira dota mumusoro akabvarura mujiza uye waakanga akapfeka akabata gotsi ndokuti mhere povo kuchema achienda kudaro. Hanzvadzi yake, Abhusharomu akamuti, “Asi Amunoni hanzvadzi yako atorana newe here? Chinyarara zvako hanzvadzi, inga ihanzvadzi yako wani. Rega zvako kuzvidya mwoyo nazvo.” Nokudaro Tamari akazogara ari munhu akasuruvara kwazvo pamba pehanzvadzi yake Abhusharomu. Zvose izvi pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akaviruka nehasha. Asi Abhusharomu haana chakaipa kana chakanaka chaakatara kuna Amunoni nokuti akanga atoita daka naAmunoni nokuti akanga abata hanzvadzi yake, Tamari chibharo. Mushure memakore maviri azere, Abhusharomu akanga ana vaveuri vake vehwai kuBhaarihazori pedyo nokwaEfuraimu. Abhusharomu akakokako vanakomana vamambo. Abhusharomu akasvika kuna Mambo akati, “Changamire, ini muranda wenyu ndine vaveuri vehwai. Zvino ndiri kukumbira kuti imi mambo namakurukota enyu tiende tose ikoko neni muranda wenyu.” Asi akati kuna Abhusharomu, “Kwete, mwanangu hatingaendiko tose tose, tingadaro tikakuremedza.” Abhusharomu akaramba ongovavarira kumukumbira; asi iye akaramba kuenda akamuti afambe zvake zvakanaka. Abhusharomu ndokuti, “Kana musingaende chiregai tiende nomunun'una wangu, Amunoni.” Mambo akamuti, “Chaunodira kuenda naye chacho chii?” Asi Abhusharomu akaramba avavarira kumukumbira kusvikira abvumira Amunoni navamwe vanakomana vamambo vose kuti vaende zvavo naye. Abhusharomu akati kuvaranda vake, “Munofanira kucherechedza Amunoni, kana zvino afarisa newaini, ini ndikakutii pfuudzai Amunoni, mobva mamupfuudza. Musatye, ndini ndinenge ndakutumai, muite chivindi, muite mwoyo wechirume.” Saizvozvo varanda vaAbhusharomu vakaita kuna Amunoni sezvavakanga vaudzwa naAbhusharomu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakati dzvamu warandanda votasva manyurusi avo votiza. Vachiri munzira, kuna Dhavhidhi kwakasvika shoko raiti, “Abhusharomu auraya vanakomana vose vamambo hakuna nomumwe wavo asara.” Mambo akabvarura hanzu dzake akati pasi zvambarara. Makurukota ake ose akanga akamukuta akabvarurawo hanzu dzawo. Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea mukoma waDhavhidhi akati, “Changamire regai zvenyu kufunga kuti vauraya majaya enyu ose, vana venyu mambo, nokuti Amunoni chete ndiye afa. Honzeri yacho ndiAbhusharomu anga ane pfundipfundi naye kubvira zuva raakabata hanzvadzi yake Tamari chibharo. Saka zvino, mambo changamire, regai zvenyu kuzvidya mwoyo muchifunga kuti vanakomana venyu mambo vose vafa, nokuti Amunoni ndiye chete afa.” Izvozvo Abhusharomu akanga atotiza. Rimwe jaya rakanga richichengetedzapo rakatarisa onei mhomho yavanhu ichiuya nokunzira yeseri kwake ichiteremuka mugomo. Jonadhabhu akati kuna mambo, “Havoka vanakomana vamambo vari kuuya avo sezvandamboreva ini muranda wenyu, ndozvabva zvaitika izvi.” Achangoti pedzei kutaura vanakomana vamambo vaya vakabva varoverera kusvika, ndiye mhere povo. Mambowo namakurukota ake vakachema zvakanyanya kwazvo. Izvozvo Abhusharomu akanga atotizira kuna Tarimai mambo wokuGeshuri mwanakomana waAmihudhi. Dhavhidhi akaita mazuva achichema mwanakomana wake. Naizvozvo Abhusharomu akatizira kuGeshuri akagarako makore matatu. Mambo Dhavhidhi akava nechisuwo chokuona Abhusharomu nokuti shungu yake yokuchema Amunoni yakanga zvino yapera nokuti akanga azvionawo kuti kufa kwaakatoita uku. Joabhu mwanakomana waZeruya akazviziva kuti mwoyo wamambo wava kuna Abhusharomu. Joabhu akabva atumira munhu kuTekowa kundouya nomumwe mukadzi akangwara. Akati kwaari “Ndapota unofanira kuita somunhu anochema nhamo yorufu upfeke hanzu dzinopfekwa nomunhu ari pakuchema urege kuzora muviri mafuta, uite somukadzi ava namazuva mazhinji achichema munhu akafa, wozoenda kuna mambo utaure kwaari uchidaizvi.” Nokudaro Joabhu akamusoka mazwi okutaura. Mudzimai wokuTekowa uyu paakasvika kuna mambo akati pasi bvurugwada akatyora uso, achimuremekedza, akati, “Ndinunureiwo mambo.” Mambo akati kwaari, “Chakunetsa chii?” Iye akati, “Zvamunoona kudai, ndiri chirikadzi. Murume wangu akafa. Ini muranda wenyu, ndaiva navana vangu vaviri vakamutsana musango pasina wokuvatakanutsa. Mumwe akarova mumwe wake akamuuraya. Zvino mhuri yose yandimukira, ini muranda wenyu vari kuti, ‘Tipe kuno munhu akauraya mumwe wake timuuraye pamusana peropa romumwe wake waakauraya. Nokudaro vanenge votourayawo mugari wenhaka. Ipapo vanenge votondidzimira chitsiga chomoto changa chasara, zita romurume wangu rigorova, pobva porega kuwanika nowakewo anozosara panyika.’ ” Mambo ndokubva ati kumukadzi uyu, “Chimbodzokera zvako kumusha kwako, ini ndichataura zvinofanira kuti zviitwe panyaya yako iyi.” Mudzimai wokuTekowa akati kuna mambo, “Mhosva iyi ngaive zvayo yangu, mambo changamire neyemhuri yokwababa vangu. Ngairege zvayo kunhanhira imi mambo nevemba yenyu.” Mambo akati, “Kuwana anenge angotaura kana chii zvacho, muunze kuno kwandiri haazombofa akakugunzva zvakare.” Iye akati, “Ndapota zvangu, dai mambo mukapika zvenyu naTenzi, Mwari wenyu muti mutsividzi weropa arege kunge achauraya munhu, mwanakomana wangu arege kuparara.” Iye ndokuti, “NaTenzi chaiye mupenyu, hakuna kana ruvhudzi zvarwo rwomwana wako ruchadonhera pasi.” Mukadzi uyu akabva ati, “Mambo ndapota ndingapamhidzewo here kutaura zvimwe kwamuri changamire.” Iye akati, “Taura zvako.” Mukadzi akati, “Madarirei kurongera vanhu vaTenzi zvinhu zvakadai nokuti nomutemero wamaita nyaya iyi matozvipa mhosva, sezvo imi, mambo musina kuti mwana wenyu arovera musango adzoke kuno zvakare? Chedu isu tose kwava kungofa chete, tangova semvura yarasikira pasi isina angaihorere asi Mwari haangambouraya munhu anoronga kuti nyakurova wenyu iyeyo arege kuramba ari munhu akaraswa kudaro. Zvino ndauya kuzotaura izvi kwamuri, mambo changamire, pamusana pokuti vanhu vakaita kuti nditye ndokubva ini muranda wenyu ndati regai nditaure namambo, zvimwe vanganzwe chichemo changu, ini muranda wake. Ndaiti zvimwe mambo vanganzwe vakandinunura mumaoko omunhu anoda kundiuraya pamwechete nomwana wangu munhaka yedu iyi yatakapiwa naMwari. Ini muranda wenyu ndakazvitiwo nechomumwoyo, zvichataurwa namambo changamire wangu ndozvichandigadzanisa mwoyo nokuti, mambo changamire wangu vakaita somutumwa waMwari pakusiyanisa chakanaka nechakaipa. Tenzi, Mwari wenyu ngaave nemi.” Mambo akazoti kumukadzi uyu, “Rega kundivanza pane zvandava kukubvunza zvino.” Mukadzi uyu ndokuti, “Bvunzai zvenyu, mambo changamire.” Mambo akati, “Hauna kutumwa naJoabhu here iwe?” Mukadzi akadavira achiti, “Chokwadi chaicho ndichocho sezvamuripo kudai, mambo changamire. Kana imi mabvunza munhu haawane pokunzvenga-nzvenga napo. Ndiro gurukota renyu Joabhu randituma. Ndiye akandisoka zvose zvandataura, ini muranda wenyu. Gurukota renyu Joabhu ndiro rakaita izvi kuti mamiriro ezvinhu asanduke. Asi, changamire muri munhu akangwara somutumwa waMwari pakuziva zvinhu pasi pano.” Mambo akazoti kuna Joabhu, “Chinzwa, ndakubvumidza, enda undodzosa mukomana uyu Abhusharomu uuye naye kuno.” Joabhu akati pasi gwadagwa achimuremekedza. Joabhu akarumbidza mambo achiti, “Nhasi uno, ini muranda wenyu, ndazoona kuti munondida, mambo changamire nokunzwa kwamaita chichemo changu, ini muranda wenyu.” Saizvozvo Joabhu akasimuka akaenda kuGeshuri akaunza Abhusharomu kuJerusaremu. Zvakadaro zvazvo mambo akati, “Ngaaende kumba kwake. Kwandiri kuno uku ngaarege kutsika.” Saizvozvo Abhusharomu akaenda kumba kwake, kwamambo akaregawo kusvika. MuIsiraeri yose makanga musina munhu airumbidzwa saAbhusharomu pachimiro. Kubvira pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake akanga asina chinoshoreka. Aiti kana ogera musoro wake, bvudzi raaigera kupera kwegore roga roga rava kumuremera airiera. Uremo hwaro hwaiita makirogiramu maviri maererano nomwero wokwamambo. Abhusharomu akabereka vana vakomana vatatu nemwana musikana mumwechete ainzi Tamari aive akanaka kwazvo. Abhusharomu akagara muJerusaremu makore maviri chaiwo azere, kwamambo asingambokutsika. Abhusharomu akati Joabhu auye amutume kuna mambo, asi Joabhu akaramba kuuya kwaari. Akatumirazve nhume kwaari rwechipiri asi Joabhu akaramba. Abhusharomu akazoti, “Handiti munda waJoabhu uri kumuganho nowanguka, ane bhari irimo, endai muupise nomoto.” Nokudaro varanda vakandoupisa nomoto. Joabhu ndokubva asimuka oenda kuna Abhusharomu kumba kwake ikoko. Akamuti, “Ko, varanda vako vapisireiko munda wangu?” Abhusharomu ndokuti kuna Joabhu, “Ndakakutumiraka shoko iwe kuti uuye kuno ndikutume kuna mambo kundoti, ‘Ko, ndakabvireiko kuGeshuri? Zvaitova nani kuti ndinge ndichiriko nazvino.’ Saka zvino regai ndisvike kwamambo. Kana ndiine mhosva andiuraye zvake.” Joabhu akaenda kuna mambo akamutaurira. Mambo akabva ati Abhusharomu auyeko. Saka akauya kuna mambo ndokuti gwadagwa pasi pana mambo, mambo ndokubva atsvoda Abhusharomu. Mushure mezvo Abhusharomu akazvigadzirira ngoro yehondo namabhiza akava navarume makumi mashanu vokumhanya mberi kwake. Aifumomuka mangwanani achindomira parutivi rwenzira yokusuwo guru. Aiti kana munhu auya kuzoenzanisirwa mhosva yake namambo, Abhusharomu aimudaidza omubvunza kuti, “Wabva kuguta ripi iwe?” Iyewo kana aiti, “Ini muranda wenyu ndiri wedzinza rokwanhingi muIsiraeri muno,” Abhusharomu aiti kwaari, “Chinzwa iwe nyaya yako yakanaka kwazvo uye inonzwika, asi hapana akaiswa namambo kuti anzwe nyaya yako.” Abhusharomu aibva ati, “Dai zvangu ndirini mutongi wenyika ino ndaiti kana munhu akauya kwandiri nenyaya kana nechichemo chake ini ndaibva ndamuenzanisira.” Aitiwo kana munhu ouya kwaari kuzomugwadamira aibva amuchingidzira kwazvo maoko omubata achimutsvoda. Ndozvaiita Abhusharomu kuvaIsiraeri vose vaiuya kuzotongwa namambo. Ipapo vanhu veIsiraeri vakatorwa mwoyo naAbhusharomu. Mushure memakore mana, Abhusharomu akati kuna mambo, Chimbondiregai zvenyu ndiende kuHebhuroni kundozadzisa zvandakapika nemhiko kuna Tenzi. Ndinodaro nokuti ini muranda wenyu pandanga ndiri kuGeshuri kuAramu ndakanyatsopika nemhiko ndichiti, “Chokwadi chokwadi kana Tenzi akaita kuti ndidzokere kuJerusaremu uku ndichazvipira kunamata Tenzi.” Mambo akamuti, “Enda zvako ufambe zvakanaka.” Nokudaro akasimuka akaenda kuHebhuroni. Abhusharomu ndopaakabva zvino atuma nhume kumadzinza ose eIsiraeri neshoko rokuti, “Pamunongonzwa chete kurira kwehwamanda imi itii, ‘KuHeburoni Abhusharomu ava mambo.’ ” Abhusharomu akaenda namazana maviri avarume vaakanga akoka kuJerusaremu, vakaenderamo zvavo vasina chavaiziva. Abhusharomu paaingunopira zvibayiro kudaro akatumira shoko rokuti VaAhitoferi muGati jinda raDhavhidhi riuye kubva kuguta rokwaro reGiro. Kupanduka uku kwakaramba kuchingokura, uye vateveri vaAbhusharomu vakaramba vachiwanda. Imwe nhume yakasvika pana Dhavhidhi ikati, “Uku mwoyo yavanhu yava pana Abhusharomu.” Dhavhidhi akabva ati kumakurukota ake ose aaiva navo muJerusaremu. “Ngatisimukei titize hatingambopunyuki pana Abhusharomu. Ngatikurumidzei, nokuti angakurumidze akativinga akatibata akatipinza munyatwa akaparadza guta namapakatwa.” Makurukota amambo akati kwaari, “Isu makurukota enyu mambo takagadzirira kuita zvose zvamunenge, imi mambo changamire mati zviitwe.” Nokudaro mambo akabuda, mhuri yake yose ikamutevera. Akasiya varongo vake gumi vakachengeta muzinda. Mambo akabuda vanhu vose vakamutevera, vakandomira vava paimba yokupedzisira. Makurukota ake ose akapfuura paakanga ari vakaenda mberi pamwechete nevaKereti vose nevaPereti vose namakumi matanhatu ose avaGiti vakanga vamutevera kubva kuGati. Mambo vakati kuna Itai muGiti, “Ko, chawava kuenderawo nesu chiiko? Dzokera iwe, undogaraka zvako namambo uyu, nokuti iwe uri mutorwaka iwe uye uri kutopotera zvako kuno pawakatiza kumusha kwako. Iwe wakangosvikawo nezuro uno, ndiwe here wandingati utunhaire nesu ndisingazvizivi kudai kuti kwatiri kuenda ndokupi. Dzokera utorewo hama dzako uende nadzo, nemwoyo wakanaka uye nekutendeseka.” Asi Itai akapindura mambo achiti, “NaTenzi chaiye mupenyu nemiwo sezvamuripo kudai mambo changamire, kungave kufa kana kurarama, mambo changamire, kwamunenge muri, ini muranda wenyu ndokwandichave.” Dhavhidhi ndokuti kuna Itai, “Ko chipfuuraka zvako.” Itai muGiti akabva apfuura navanhu vokwake nepwere dzaakanga anadzo. Nyika yose yakahwihwi kuchema pavaingunopfuura nepo. Mambo akayambuka kakova keKidhironi vanhu vose vakafamba vachienda kurenje. Abhiatari akakwidzawo ikoko, Zadhoki ndokuendawoko nevaRevhi vose vakanga vakatakura bhokisi raMwari rechitenderano. Vakaisa pasi bhokisi raMwari rechitenderano kusvikira vanhu vose vabuda muguta imomo. Mambo akazoti kuna Zadhoki, “Takurai bhokisi raMwari rechitenderano mudzokere muguta. Kana Tenzi akandiitira mwoyochena wake achandidzosa ndigoriona, iro nenzvimbo yaanogara. Asi kana akati, handichafadzwa newe, inga ndiri pano wani regai aite zvake kwandiri zvaanenge aona kuti zvakanaka.” Mambo akatiwo kumupristi Zadhoki, “Chionaika, imi mochidzokera zvenyu zvakanaka muguta imi naAbhiatari navana venyu vakomana ava, Ahimaazi mwana wenyu imimi naJonatani mwana waAbhiatari. Chinzwaika, ini ndichandomira ndiri pokuyambuka napo kuenda kurenje kusvikira ndanzwa shoko ramuchanditumira.” Saizvozvo Zadhoki naAbhiatari vakadzokera nebhokisi raMwari rechitenderano kuJerusaremu vakabva vasaramo zvavo. Asi Dhavhidhi akakwira makata echikomo cheMiorivhi, akafamba achisvimha misodzi akafukidza musoro asina kana shangu mumakumbo. Vanhu vose vaaiva navo vakafukidzawo musoro vakakwira vakafamba vachihwihwidza kuchema. Kuna Dhavhidhi kwakasvika shoko richiti, “Ahitoferi atovawo mumwe wavapanduki pamwechete naAbhusaromu.” Dhavhidhi akati, “Ndapota zvangu Tenzi. Dai zvenyu mukasandura ungwaru hwaAhitoferi mukahuita upenzi.” Pakasvika Dhavhidhi pamusoro pacho painamatirwa Mwari, ndipo pakabvawo pati Hushai muAriki vhu kusvika kuzoonana naye vaine hanzu yakabvaruka ivhu riri mumusoro. Dhavhidhi akati kwaari, “Ndikati ndiende newe kutozvipa nhamo kwandingaite. Asi kutoti iwe wochidzokera zvako kuguta wondoti kuna Abhusharomu, mambo regai zvenyu ndive gurukota renyu sezvo ini ndanga ndiri gurukota rababa venyu mazuva apera aya. Saka zvino regai zvenyu ndichivawo gurukota renyu zvangu. Ndopaungatozondipazanisira Ahitoferi mazano ake. Inga wani Zadhoki naAbhiatari vapristi vanenge vanewe ikoko. Saka zvose zvamunenge manzwa nezvokumba kwamambo mobvawo mataurira Zadhoki naAbhiatari vapristi. Ikoko vane vana vavo vakomana vaviri, vana Ahimaazi mwana waZadhoki naJonatani waAbhiatari. Ndovamuchapota muchituma neshoko kwandiri kuwana chose chamunenge mangonzwa chete.” Nokudaro Hushai shamwari yaDhavhidhi akadzokera kuguta akasanganidzana naAbhusharomu achitopindawo muJerusaremu. Dhavhidhi paakangoti pfuurei zvishoma pamusoro paye ndiye Zibha muranda waMefibhosheti nepo pfacha namadhongi aiva nezvityaro akatakudzwa zvingwa mazana maviri, nezana rezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa nemichero zana yomuzhizha neguchu rewaini redehwe. Mambo akati kuna Zibha, “Ko wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akati, “Madhongi aya ndeokuti mhuri yamambo iwane chokufambisa. Zvingwa izvi nemichero yezhizha iyi ndechokudya chamajaya enyu. Waini ndeyokuti vanenge vaziya nenyota murenje muno vanwe.” Mambo ndokuti, “Ko mwanakomana watenzi wako ari kupiko?” Zibha akati kuna mambo, “Asara zvake muJerusaremu umu. Ari kutoti nhasi mhuri yeIsiraeri ichandidzosera ushe hwababa vangu.” Mambo akabva ati kuna Zibha, “Chinzwa, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.” Zibha akati, “Ndinokuremekedzai mambo changamire. Dai mwoyochena wenyu kwandiri wangoramba wakadaro.” Mambo Dhavhidhi paakasvika kuBhahurimu, akavingwa nomumwe murume wekumhuri yokwaSauro ainzi Shimei mwanakomana waGera. Akanyatsomubudira achimutuka, achikanda matombo kuna Dhavhidhi nokumakurukota ose amambo Dhavhidhi nokuvanhu vose. Izvozvo varwi vehondo vano chaivo vokwamambo vakanga vakamukuta kurudyi nokuruboshwe. Shimei aimutuka achiti, “Iwe! Ibva kuno! Ibva! Mhondi yomunhu! Munhu pasina! Tenzi akatsividza ropa remba yokwaSauro wawakatorera chigaro chokutonga. Tenzi azopa umambo mwanakomana wako Abhusharomu. Yhaa! Wazozviona. Waparara iwe nokuti uri mhondi yomunhu.” Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, “Ko uyu imbwa zvayo yakafa kudai angatukireiko mambo changamire? Regai ndimuvinge ndimudimure musoro.” Asi mambo akati, “Munei nazvo nhaimi vana vaZeruya? Zvimwe kudaro ari kundituka pamusana pokuti Tenzi amuti, tuka Dhavhidhi, ndiani zvino angabvunze kuti, ‘Ko izvozvi uri kuitirei?’ ” Dhavhidhi akati kuna Abhishai nokumakurukota ake ose, “Hamuoniwo here kuti mwana wangu chaiye wokubereka ari kuda kuparadza upenyu hwangu. Ko kutozoti uyu wokwaBhenjamini zvake? Muregei akadaro. Regai atuke zvake nokuti Tenzi ndiye aita kuti adaro. Zvichida Tenzi achaona dambudziko rangu akandiitira zvakanaka pamusana pokunyombwa kwandiri kuitwa.” Dhavhidhi navanhu vake vakapinda zvavo munzira, uku Shimei achifambawo nomujinga mechikomo akavambirana naye achingomunyomba achimupotsera matombo nokumumbumurira guruva. Mambo navanhu vose vakasvika kuna Jorodhani vaneta akambozorora ipapo. Izvozvo Abhusharomu navanhu vose, varume vokwaIsiraeri vakasvika kuJerusaremu, Ahitoferi aivawo naye. Pakasvika Hushai, muAriki, shamwari yaDhavhidhi iya kuna Abhusharomu yakati, “Zvoumambo hwenyu ngazvigare zvakadaro, ngazvirambe zvakadaro mambo!” Abhusharomu akati kuna Hushai, “Ndiko kuvimbika here kushamwari yako nhai ikoku? Waregerei kuenda neshamwari yako?” Hushai akati kuna Abhusharomu, “Bodo, nokuti anenge asarudzwa naTenzi navanhu ivava pamwechete navarume vose vokwaIsiraeri ndiye wangu iyeyo, uye ndiyewo wandinogara naye. Uyezve ndiani wandingashandirewo kusatoti mwanakomana wake? Sokushandira kwandaingoita baba venyu ndokushandirawo kwandichaitira imi.” Abhusharomu ndokuchizoti kuna Ahitoferi, “Tipewo zano, toitei?” Ahitoferi akati kuna Abhusharomu, “Torana navarongo vababa vako vavakasiya kuti vachengete musha ugare navo savakadzi vako. Isiraeri yose ichazvinzwa kuti wakazvimutsira daka nababa vako. Izvozvo zvinobva zvasimbaradza vanhu vaunavo” Vanhu vakabva vadzikira Abhusharomu tendhe padenga remba, Abhusharomu akatorana navarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachiona. Pamazuva iwayo mazano aipiwa naAhitoferi aifanana nomunhu ainge abvunza kuna Mwari. Ndizvo zvakanga zvakaita mazano aAhitoferi kuna Dhavhidhi naAbhusharomu. Zvimwewo zvakataurwa naAhitoferi kuna Abhusharomu ndezvokuti, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndiende usiku hwanhasi kundoronda Dhavhidhi, ndimusvikire akaneta arasa mwoyo ndigomupazamisa musoro, vanhu vose vaanavo vamudzvamuke kutiza. Iye mambo wacho chete ndiye wandichapfuudza, ndigodzoka navanhu vacho vose kwamuri somuroora ari kuuya kumusha kwomurume wake. Chenyu imimika kupfuudza munhu mumwechete chete, vanhu vose vobva vapinda zvavo murunyararo.” Zano iri rakafadza Abhusharomu navakuru vakuru vokwaIsiraeri. Abhusharomu akabva ati, “Chimbotidaidziraiwo Hushai wokuAriki tinzwewo zvaanoreva.” Pakauya Hushai kuna Abhusharomu, Abhusharomu akati kwaari, “Zano ratapiwa naAhitoferi nderiri toritevera here? Kana risiri iro, ko iwe unotiwo kudii?” Hushai akati kuna Abhusharomu, “Zano rapiwa naAhitoferi rwendo runo harina kunaka.” Hushai akatizve, “Inga kana nemiwo munongozvizivawo wani kuti baba venyu navanhu vavo magamba chaiwo ehondo uye kuti izvozvi vane ukasha seingwe yatorerwa vana vayo musango. Izvozvi, usiku havamborara vaya pamwechete navamwe. Kutaura kuno, izvozvi vakatohwanda mune rimwe gomba kana kuti pane imwe nzvimbowo. Baba venyu vakazongotanga kuvarwisa, ani naani anozvinzwa anobva ati, ‘Hakuzi kuurayiwa ikoko kwaitwa vanhu vokwaAbhusharomu.’ Pakadaro apo kunyange gamba chairo rine mwoyo weshumba rinobva rava mbwende chaiyo achibweka nokutya. Chandinodariro ndechokuti Isiraeri yose inozviziva kuti baba venyu igamba chairo rehondo uye kuti vavanavo vacho magambawo chaiwo ehondo. Saka zvino zano rangu nderokuti, Isiraeri yose ngaikokorodzwe kubvira kuDhani kusvikira kuBheerisheba vaite sejecha repamahombekombe egungwa kuwanda, imimi pachenyu muendewo kuhondo, tigomusvikira paanenge ari ipapo toti paari ware ware sedova riri kudonhera pasi zvokuti iye navanhu vose vaanavo parege kuwanikwa kunyange nomumwe anopunyuka. Kana akapotera mune rimwe guta, pakadaro apo Isiraeri yose inoti tambo kokoto kuvinga guta racho torikwekweretsera mubani kudzamara pasara pasisina kunyange katombo zvako.” Abhusharomu navarume vose vokwaIsiraeri vakatoti, “Zano raHushai wokuAriki riri nani pane raAhitoferi,” nyamba izvozvo Tenzi akanga aronga zvokupazanisa zano raAhitoferi kuti apinze Abhusharomu munyatwa. Hushai akazonyevera Zadhoki naAbhiatari vapristi achiti, “Zano ranga rapiwa naAhitoferi kuna Abhusharomu navakuru vakuru vokwaIsiraeri nderiri, iniwo randazopa nderiri. Naizvozvo chikurumidzai kutumira Dhavhidhi shoko rokuti usiku hwanhasi ngaarege kurara pokuyambuka napo kurenje, asi kutoti napose paanogonera ayambuke. Mambo navanhu vaanavo vangadaro vakamedzwa.” Izvozvo Jonatani naAhimaazi vakanga vakamira kuEnirogeri. Mumwe muranda wechikadzi ndiye aitopota achindovanyevera, ivowo vachindozvisvitsa kuna mambo Dhavhidhi nokuti ivo havaifanira kuonekwa vachipinda muguta. Asi mumwe mukomana akavaona akandozvisvitsa kuna Abhusharomu, vakomana vaye vari vaviri vakakurumidza kubvapo vakaenda kumba kwomumwe murume akanga ane mugodhi wemvura muchivanze chake kuBhaurimu vakapindamo. Mudzimai akafukidza pamuromo wemugodhi wemvura akabva ayanika mbesanwapo nokudaro hazvina akaziva. Makurukota aAbhusharomu paakasvika kumudzimai uyu pamusha apa vakati, “Ahimazi naJonatani vari kupi?” Mukadzi uyu ndokuvati, “Vayambuka kakova ako.” Vakavatsvaka vakavashaya vakadzokera Jerusaremu. Pavakangoti endei, varume vaye vakabva vabuda mumugodhi wemvura uya vakandotaurira mambo Dhavhidhi. Vakabaira Dhavhidhi zanhi, vachiti, “Chitosimukai mukurumidze kuyambuka rwizi nokuti uku vaAhitoferi vapa vanhu zano kuti pawane chinoitwa kwamuri.” Dhavhidhi akabva asimuka navanhu vose vaaiva navo vakayambuka Jorodhani. Kunze kwakazosara kwoedza kusisina kana nomumwe akanga asara kumhiri asina kuyambuka. Ahitoferi paakaona kuti zano rake harina kuteverwa, akati padhongi rake kata achibva aenda kumusha, kuguta rokwake. Akasiya aronga zvomumusha make ndokubva azvisungirira akafa, ndokuvigwa muguva rababa vake. Dhavhidhi akasvika kuMahanaimu. Abhusharomuwo akayambuka Jorodhani navarume vose vokwaIsiraeri. Abhusharomu akanga asarudza Amasa kuti ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaiva yaJoabhu. Amasa uyu akanga ari mwanakomana womumwe murume wechiIshimaeri ainzi Itira akanga akaroora Abhigari mwana wavaNahashi aiva mukoma nomunun'una naZeruya amai vaJoabhu. VokwaIsiraeri vakadzika matendhe avo mudunhu rokwaGireadhi. Pakasvika Dhavhidhi kuMahanaimu, Shobhi mwanakomana wavaNahashi wokuRabha muAmoni naMakiri mwanakomana waAmieri wokuRodhebhari pamwechete naBharizirai muGireadhi wokuRogerimu vakaunza mibhedha namadhishi, nehari nekoroni nebhari nembesanwa dzakakangwa nebhinzi nenyemba kwouya uchi nomukaka wakakora nehwai nechizi yavakawana kuzvipfuwo zvavo zvokuti Dhavhidhi navanhu vaaiva navo vawane chokudya, nokuti vaiti kurenje uku vanhu vava nenzara, vaneta uye vava nenyota. Dhavhidhi akaronga varume vaaiva navo muzvikwata zvezviuru zviuru mukati mazvo zvikwata zvezana zana, ndokuisa vatungamiriri pachikwata choga choga. Pazvikwata zvitatu zvaakatumira chimwe chaitungamirirwa naJoabhu, chimwe naAbhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya, chimwewo chichitungamirirwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, “Iniwo ndiri kuzoenda nemi.” Vanhu vakati, “Hamufaniri kuenda, nokuti kana isu tikatiza havana hanya nesu. Kunyange vamwe vedu chikamu chepakati napakati chaicho chikafa, havanei nazvo. Asi imi ndimi makatokosha kupfuura isu tiri zviuru gumi. Zviri nani ndezvokuti imi munge muri muguta muchititumira rubatsiro.” Mambo akati kwavari, “Zvamunenge maona kuti ndizvo zvakanaka ndizvo zvandichaita.” Nokudaro mambo akamira padivi kusuwo guru, varwi vose vachibuda vari mazana mazana nezviuru zviuru. Mambo akaudza Joabhu naAbhishai naItai kuti, “Pamusana pangu ndibatirei zvakanaka mukomana uyu, Abhusharomu.” Mambo paaiudza vatungamiri vehondo vose nezvaAbhusharomu vanhu vose vaizvinzwa. Saizvozvo hondo yakabudira vokwaIsiraeri kunze, ikarwisana navo musango rokwaEfuraimu. Hondo yokwaIsiraeri yakakurirwa navanhu vokwaDhavhidhi, kwakafiwa kwazvo musi iwoyo, nezviuru makumi maviri. Hondo yakapararira nenyika iyoyo yose. Sango rakaparadza vanhu vakawanda kupinda vakauraiwa namapakatwa zuva iroro. Abhusharomu akaita mahwekwe navanhu vokwaDhavhidhi. Izvozvo Abhusharomu akanga akatasva nyurisi rake. Nyurusi rakasenerera napasi pamapazi makobvu ezimuoku, musoro wake wakabatirira zvakasimba kumuoku uyu. Akasara ongoti renga renga mumhepo nyurisi rati svorododo kupfuurira napasi pake. Mumwe murume akazviona akataurira Joabhu kuti, “Ndaona Abhusharomu akarembera mumuoku.” Joabhu akati kuna nyakumuudza, “Watii, watomuona zvako. Ko waregerereiko kumupfuudza awira pasi? Zvingadai zvandifadza ndokupa zvino gumi rezvidimbu zvemari nebhanhire resirivha nomudya.” Murume uyu ndokuti kuna Joabhu, “Kunyange zvazvo zvikanzi ndini uyo ndachibata muruoko chiuru chezvidumbu zvemari yesirivha nouremo hwacho handimbofa ndakasimudzira rwangu ruoko kuuraya mwanakomana wamambo nokuti takanzwaka isu mambo vachikuudzai iyemi naAbhishai naItai kuti pamusana pangu mundichengetedzerewo zvakanaka mukomana uyu Abhusharomu. Chimwewo ndechokuti dai izvozvi ndanga ndawana chimwe chandaita kwaari, kuna mambo, rina manyanga hariputirwe, imi iyemi chaiye maizongoti zvionere.” Joabhu akati, “Regai ndirege kupedza nguva yangu newe zvakadai.” Akatora mapfumo matatu mumaoko akandobaya Abhusharomu pamwoyo. Izvozvo Abhusharomu akanga achiri mupenyu ari mumuoku muya. Majaya gumi aitakurira Joabhu zvombo zvehondo akakomba Abhusharomu vakamuuraya akafa. Joabhu akaridza hwamanda, zvikwata zvavarwi zvikabva zvadzoka zvorega kuronda vokwaIsiraeri pamusana pokuti Joabhu akanga zvino avadzivisa. Vakazotora Abhusharomu vakamukanda mugomba guru mudondomo. Vakatutiramo pamusoro pake zimurwi guru guru ramabwe. VokwaIsiraeri vose vakaita rumwe rumwe kutizira kumisha yavo. Zvakanga zvaitika ndezvokuti Abhusharomu paaiva achiri mupenyu akanga atora shongwe yebwe akazvimisira shongwe iyoyo mubani rokwaMambo nokuti aiti handina mwana mukomana angazomutsiridza zita rangu. Akatumidza shongwe iyoyo nezita rake, ndokusaka ichinzi Shongwe yaAbhusharomu nanhasi uno. Ahimaazi mwanakomana wavaZadhoki akati, “Regai ndimhanyire kuna mambo ndisvitse shoko iri rakanaka kudai rokuti Tenzi avanunura mumaoko avavengi vavo.” Joabhu akamuti, “Haungaende neshoko iri iye nhasi uno asi kutoti ungazoenda neshoko racho rimwe zuva zvaro. Asi nhasi haufaniri kuenda neshoko nokuti afa uyu mwanakomana wamambo.” Joabhu akabva ati kune mumwe wechiKushi, “Iwe chienda undotaurira mambo zvawaona.” MuKushi uya akakotamira Joabhu kumuremekedza ndokubva amhanyirako. Ahimaazi mwana wavaZadhoki akatizve kuna Joabhu, “Chauya chauya, regai zvangu ndimhanye nditevere muKushi uyu.” Joabhu akati, “Uchamhanyireiko mwanangu iwe uchitoonawo zvako kuti hapana mubayiro waunowana neshoko irori.” Iye ndokuti, “Chauya chauya regai ndimhanye.” Saizvozvo iye akamuti, “Chimhanya.” Ahimaazi akamhanya nokunzira iri kwakati sandara akabva apfuura muKushi uye. Izvozvo Dhavhidhi akanga akagara pakati pemisuwo mikuru miviri yeguta. Munhu aichengetedzapo akakwira pamusoro pesuo guru reparusvingo. Paakati tarisei akabva aona mumwe murume achimhanya ari oga oga. Wokuchengetedzapo uya akadaidzira kutaurira mambo. Mambo akati, “Kana ari oga oga kudaro munhu ane shoko rakanaka.” Murume uya akaramba achiuya kudzamara asvika pedyo. Muchengetedzi wepo uyu akaona zvakare mumwe murume achimhanya. Muchengetedzi akadaidzira kune aiva pasuo guru achiti, “Ona mumwezve uyo ari kumhanya ari oga oga.” Mambo ndokuti, “Naiyeyowo ari kuuya neshoko rakanaka.” Muchengetedzi akati, “Mumhanyiro weari mberi wacho ndiri kuona kunge mumhanyiro waAhimaazi mwana wavaZadhoki.” Mambo akati, “Uyo munhu ane mwoyo wakanaka uyo uyewo anounza shoko rakanaka.” Ahimaazi akadaidzira kuna mambo achiti, “Uku zvose muchete.” Akakotamira mambo achimuremekedza akati, “Tenzi, Mwari wenyu ngaarumbidzwe aisa mumaoko enyu vanhu vanga vakakupandukirai mambo changamire.” Mambo akati, “Ko mukomana uyu Abhusharomu akadii?” Ahimaazi akati, “Ini muranda wenyu pandatumwa negurukota renyu Joabhu, ndangoona vanhu vachiita bvongonyera asi handizive kuti paitikei.” Mambo ndokuti, “Chimboenda umire apo.” Akabvapo akandoti mbikiti kumira pakadaro apo. WechiKushi uye akabva asvikawopo. MuKushi uyu akati, “Ndauya neshoko rakanaka mambo changamire. Tenzi aisa mumaoko enyu vose vanga vakakupandukirai.” Mambo akabvunza muKushi uyu kuti, “Ko mukomana, Abhusharomu akadii?” MuKushi ndokupindura achiti, “Mambo changamire dai vavengi venyu navose vanokupandukirai vachida kukuitirai zvakaipa vakaita hwomukomana iyeyu.” Mambo akabatwa neshungu akakwira akandopinda mumba yaiva pamusoro pesuo guru akahwihwidza kuchema akaendako achiti, “Ho Baba iwe, mwanangu Abhusharomu. Mwanangu kani. Mwanangu Abhusharomu. Dai ndiri ini zvangu ndafa iwe wasara. Nhai Abhusharomu mwanangu mwanangu.” Joabhu akataurirwa kuti mambo vari kuhwihwidza kuchema Abhusharomu. Nokudaro kukurira kwakanga kwaita hondo musi iwoyo kwakasanduka kukava kusuruvara kwavanhu vose sezvo musi iwoyo vanhu vakanzwa zvichinzi mambo vari kutorwadziwa mwoyo kwazvo nezvemwanakomana wavo. Varwi vakapinda muguta vachiita zvokuverevedza musi iwoyo sezvinongoita varwi vari kunyara vanenge vachitiza muhondo. Izvozvo mambo akanga akabata uso achiridza mhere achiti, “Yowe, mwanagu Abhusharomu, Abhusharomu kani, mwana wangu. Nhai mwanangu we-e.” Ndokubva Joabhu apinda mumba muna mambo ndokuti, “Inga nhasi manyadzisa makurukota ose enyu ari kukununurai upenyu noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu noupenyu hwavakadzi venyu nohwavarongo venyu nezvamuri kuita izvi zvokuda vari kukuvengai muchivenga vari kukudai nokuti muri kutoratidzaka pachena imi kuti hamuna basa navatungamiriri vehondo kana namakurukota. Ndinodaro nokuti dai nhasi Abhusharomu anga ari mupenyu isu tose tirisu tafa, kwamuri ndozvanga zvakanaka. Saka zvino chisimukai mubude mundonyengetedza makurukota enyu nokuti ndinopika naTenzi kuti kana musina kubuda, vanhu vose vanokudzvamukai nhasi uno mosara musisina wamunaye usiku hwanhasi. Izvi ndozvingazova zvakaipisisa kwazvo pane zvose zvakambokuwirai kubvira pauduku hwenyu kusvikira pari nhasi.” Mambo akasimuka akandogara pasuo guru reguta kwakasvitswa shoko kuvanhu rokuti mambo agere kusuo guru. Vanhu vose vakauya kuna mambo. Izvozvo vokwaIsiraeri vakanga vaita rumwe rumwe kutizira kumisha yavo. Vanhu vose vaiitirana nharo mumadzinza ose eIsiraeri vachiti, “Mambo akatinunura kuvavengi vedu. Iye pachake akatinunura kuvaFirisitia asi zvino akatiza munyika muno pamusana paAbhusharomu. Asika Abhusharomu watakanga tagadza umambo akafa muhondo. Ko zvino morambirei makangoti zi-i zi-i musingataure nezvokuti mambo achidzoka zvake?” Mambo Dhavhidhi akatumira Zadhoki naAbhiatari vapristi shoko rokuti, “Taurirai vakuru vakuru vokwaJudha kuti madirei kuva ndimi vokupedzesera kuti mambo achidzokera zvake kumba kwake? Imi vacho ndimi hama dzangu. Muri hama dzangu chaidzo, vanhu veropa rimwechete neni. Madirei kuva imi ndimi vokupedzesera kuti mambo achidzokera zvake? Iti kuna Amasa, ko zvauriwezve muzukuru wangu chaiye wani weropa rimwechete neni? NaMwari chaiye ngapave nechinondiwana kana iwe usiri mutungamiriri wehondo yangu kubvira iyezvino zvichienda mberi panzvimbo yanga iri yaJoabhu.” Vanhu vose vokwaJudha vakatorwa mwoyo nazvo vakaita mwoyo mumwechete vakatumira kuna mambo shoko rokuti chidzokai zvenyu kuno iyemi mose namakurukota enyu ose. Saizvozvowo mambo akadzoka akasvika muna Jorodhani. Vanhu vokwaJudha vakaenda kuGirigari kundochingura mambo nokuyambutsa mambo Jorodhani. Shimei mwanakomana waGera wokwaBhenjamini wokuBhahurimu akakurumidzawo kudzikako pamwechete nevokwaJudha kundochingurawo mambo Dhavhidhi. Shimei uyu aivawo pamwechete navarume chiuru chimwechete vokwaBhenjamini. Zibha muranda wokwaSauro pamwechete navanakomana vake gumi navashanu navaranda vake makumi maviri vakakurumidza kudzikawo kuna Jorodhani kuna mambo. Vakayambuka zambuko kundotora mhuri yokwamambo yomumba nokuitawo zvainge zvichidiwa namambo. Shimei mwana wavaGera akati pasi gwadagwa pana mambo pakanga mambo oda kuyambuka Jorodhani. Akati kuna mambo, “Mambo, dai mukandiregererawo mhosva yangu changamire muregewo zvenyu kufunga kukanganisa kwandakaita kwamuri zuva riya ini muranda wenyu mambo changamire pamaibva kuJerusaremu. Regai zvenyu kana kuzviisa mumwoyo nokuti ini muranda wenyu ndinoziva kuti ndakatadza. Chionai kuti ndabva ndava ndini wokutanga kumhuri yose yokwaJosefi kudzika kuno kuzochingurana nemi mambo changamire.” Abhishai mwanakomana waZeruya akapindura achiti, “Pamusana paizvozvo, Shimei haafanire kufa here zvaakatuka muzodzwa waTenzi?” Asi Dhavhidhi akati, “Munei nazvo nhaimi vana vokwaZeruya zvamava kuita sokunge muri kuda kutorwisana neni nhasi uno? Ndiro zuva here ringaurayiwe munhu muIsiraeri irori randava kuziva racho kuti ini ndini mambo weIsiraeri?” Saka mambo akati kuna Shimei, “Iwe hausi kuzofa,” mambo akatomutsidzira nemhiko. Mefibhosheti muzukuru waSauro akadzikawo kundochingura mambo. Kubvira zuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka zvakanaka, Mefibhosheti uyu haana kumboshamba makumbo ake kana kudimurira ndebvu dzake kana kusuka mbatya dzake. Paakabva kuJerusaremu akasvika pana mambo akati kwaari, “Wakaregerereiko kuenda neni nhai Mefibhosheti?” Iye ndokuti, “Mambo wangu changamire, ini muranda wenyu ndakaremara. Saka ndakati kumuranda wangu, sungira chityaro padhongi rangu nditasve ndiendewo namambo. Asi muranda wangu Zibha akandinyengedza. Akauya kwamuri imi mambo changamire akandireva ini muranda wenyu. Zvino imi mambo wangu changamire makaita somutumwa waMwari, naizvozvo, imi, itai zvamunenge muchida zvenyu. Mhuri yose yokwababa vangu, chavo chavaifanira kuwana kwamuri mambo changamire rufu chete. Asi imi makatoita zvenyu kuti ini muranda wenyu ndivewo pakati pevanodya pamwechete nemi patafura. Pakadaro chii chingandipe kunge ndichakumbira zvimwe kuna mambo?” Mambo akati kwaari, “Chaucharamba uchitaurira nyaya yako iyi chii? Chandinotaura ndechokuti: iwe naZibha govanai munda.” Mefibhosheti akabva apindura mambo achiti, “Chiregai zvake atore wose imi mambo changamire zvamangodzoka zvakanaka kudai kumusha.” Bharizirai wokuGireadhi akanga adzika kubva kuRogerimu kuzoperekedza mambo kusvika muna Jorodhani nokumuyambutsa Jorodhani irworwu. Bhazirai akanga ave harahwa chaiyo, ava namakumi masere amakore. Ndiye akambopa mambo zvokudya paakanga ari kuMahanaimu akanga ari shoroma chaiyo. Mambo akati kuna Bhazirai, “Handei tose kuJerusaremu ndini ndichandokuchengeta.” Asi Bhazirai akadaira mambo achiti, “Mukati ndichagarawo makore mangani amungati ndichange ndichaenderawo namambo kuJerusaremu? Ini ndave harahwa yemakumi masere amakore kudai nhasi uno, chandichazivawo chii, chakaipa kana chakanaka? Munofunga here kuti ini muranda wenyu chokudya chandinodya nechokunwa chandinonwa zvichiri kundinakira here? Zvokuteera varume nevakadzi vanoimba munoti ndichazvigonawo nhai? Madirei zvenyu kuti ini muranda wenyu ndive mumwe mutoro wokukuremedzai mambo changamire? Ini muranda wenyu ndichayambuka Jorodhani nemi mambo ndozongoti fambe-fambei. Ko mambo muchadirei kunditsiva nomuripo wakadai? Ndapota regai zvenyu ini muranda wenyu ndidzokere ndindofira zvangu kuguta rokwangu kuna makuva ababa naamai vangu. Asi muranda wenyuka uyu Kimhamu, ngaayambuke nemi mambo changamire. Ndiye wamungandoitira zvenyu zvamunenge muchida.” Mambo akati, “Kimhamu ndiye achayambuka neni. Ndiye wandichaitira zvamunenge muchida ndichakuitiraiwo zvose zvamunenge muchida.” Vanhu vose vakayambuka Jorodhani, mambo akayambukawo. Mambo akatsvoda Bharizirai akamukomborera akabva adzokera zvake kumusha kwake. Pakayambukira mambo kuGirigari, Kimhamu akaendawoko naye navanhu vose vokwaJudha nechimwe chikamu chevokwaIsiraeri. Ndivo vakayambutsa mambo. Varume vose vokwaIsiraeri vakauya kuna mambo vakabvunza mambo kuti, “Ko idzo hama dzenyu idzi dzokwaJudha dzaizoita zvokukubai sei kutounza imi mambo kuno nokuyambutsa Jorodhani mhuri yokwamambo navarume vamaiva navo vokwaDhavhidhi vose?” Varume vokwaJudha vose vakati kune vokwaIsiraeri, “Chatadariro ndechokuti ukama hwedu namambo iyeyuka ndohwepedyo chaizvo. Ko zvino chii chaicho chakushatirisai panyaya iyoyi? Pane chamambo chatakadya here isu, kana kuti pane chaakatipa here?” Varume vokwaIsiraeri vakati kune varume vokwaJudha, “Isu tinotova nemigove gumi muumambo uhu uyewo chedu muna Dhavhidhi tinacho kutopinda imi kwazvo. Ko zvino chamakatishora chii? Hatiziri isu here takava vokutanga kutaura kuti mambo achidzoka?” Asi mhinduro yavarume vokwaJudha yakanga yakaomarara kupfuura mhinduro yavarume vokwaIsiraeri. Zvakangoitikawo kuti paiva nomumwe matatapure womunhu ainzi Shebha mwanakomana waBhikiri wokwaBhenjamini. Akaridza hwamanda akati, “Isu muna Dhavhidhi, mugove hatina. Hatina nhaka mumwana waJese isu. VokwaIsiraeri we-e, munhu wese ngaazive nzira aende kwake.” Ipapo varume vose vokwaIsiraeri, zvokutevera Dhavhidhi vakabva vakanda pasi ndokubva votevera Shebha mwana waBhikiri. Asi varume vokwaJudha vakaramba vakati kwati kwati namambo wavo kubvira muna Jorodhani kusvikira kuJerusaremu. Dhavhidhi akasvika mumuzinda wake muJerusaremu. Mambo akatora varongo vaye gumi vaakanga asiyira kuchengeta musha. Akavaisa mune imwe imba mavaichengetedzwa achivariritira asi haana kumbozopinda mumba navo. Naizvozvo vakazogara vakapfigirwa upenyu hwavo hwose vachigara sechirikadzi. Mambo akazoti kuna Amasa, “Ndikokoredzere vanhu vokwaJudha vave pano mushure memazuva matatu iwe unge uri panowo.” Amasa akaenda kundokokorodza vokwaJudha. Asi akanonoka nguva yaakanga anzi auye. Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Zvino Shebha uyu mwana waBhikiri achatipinza nhamo kupfuura Abhusharomu. Chitora makurukota okwachangamire wako umuronde angadaro akapinda mumaguta etsvingo akazotinzvenga.” Varume vokwaJoabhu navaichengetedza mambo, maKereti nemaPereti nemvumba dzose chaidzo dzokurwa hondo, vakaenda vakatungamirirwa naAbhishai. Vakabuda muJerusaremu vakandoronda Shebha mwanakomana waBhikiri. Pavakasvika kuzidombo guru rokuGibheoni, Amasa akasanganidzana navo. Izvozvo Joabhu akanga akapfeka hanzu dzake dzehondo, pamusoro padzo akasungira bhande muchiuno raiva nebakatwa muhara. Paakati achiti fambei bakatwa rakasvotokera pasi, Joabhu ndokuti kuna Amasa, “Ko, wakadiiko munun'una?” Joabhu akabva amuti ndebvu kweshu norudyi rwake kunge kuda kumutsvoda. Asi Amasa haana kucherechedza bakatwa raiva muroko rwaJoabhu. Joabhu akabva amuti naro dhuvhu mudumbu, ura hwake hukati pasi wodzvo asina kumubaya rwechipiri akabva afa. Joabhu nomunun'una wake Abhishai vakabva voronda Shebha mwana waBhikiri. Mumwe murume wokwaJoabhu akamira pedyo nechitunha chaAmasa ndokusheedzera achiti, “Munhu wese anenge achida Joabhu neanenge ari wokwaDhavhidhi, ngaatevere Joabhu.” Izvozvo Amasa akanga achitoumburuka muropa pakati pomugwagwa mukuru. Ani naani aisvika nepo aiti akangomuona ombomira. Murume uya paakaona kuti munhu wese ari kumbomirapo akabvisa Amasa pamugwagwa apa akandomuisa musango akamufukidza neimwewo hanzu. Paakabvisa Amasa mumugwagwa vanhu vose vakanga vava kungopfuura vachienda naJoabhu kundoronda Shebha mwana waBhikiri. Shebha akafamba achidevanisa nemadzinza okwaIsiraeri ose kusvika kuAbheri nokuBhetimaaka nokuvaBheri vose vakaungana vakamutevera. Varwi vose vaiva naJoabhu vakauya vakamukomba muAbheri kuBhetimaaka. Vakaunganidza ivhu rikaita chinenge musana wenzou chakatsamirana norusvingo ndokubva vava kutigimura rusvingo kuti rukoromokere pasi. Mumwe mukadzi akanga akangwara akadaidzira ari mugutamo achiti, “Nditeerereiwo munzwe. Itii vaJoabhu vauye apo ndimbotaurawo navo.” Joabhu akaenda kwaari, iye ndokuti, “Ndimi vaJoabhu?” Joabhu akati, “Ndini.” Mukadzi akabva ati, “Chimbonzwai zvandavakutaura ini muranda wenyu.” Akati “Ndipire ndizwe.” Iye ndokuti, “Makarekare vakuru vaiti, ukangobvunza zano kuAbheri, nyaya yaibva yapera. Ini ndiri mumwe wavanhu vanoda rugare uye vakatendeka muIsiraeri. Asi imi muri kuda kuparadza guta rakaita saamai muIsiraeri. Chamadira kumedza nhaka yaTenzi chii?” Joabhu akabva ati, “Handimbofa ndakaita zvakadaro. Zvokumedza izvo kana kuparadza kwandiri hazvimboitika izvo. Hazvisiri izvo. Chiripo chete ndechokuti kune mumwe murume anonzi Shebha mwana waBhikiri wokunyika yokwaEfuraimu yamakomo akapandukira mambo Dhavhidhi. Ingoturirai murume iyeyo mumaoko medu ndinobva ndatosiyana neguta rino.” Mukadzi uyu akati, “Chiregai zvenyu muone, muchakandirwa musoro wake napamusoro porusvingo.” Nouchenjeri hwake ihwohu mukadzi uyu akaenda kuvanhu vose, vakazodimura Shebha mwana waBhikiri musoro vakaukanda kuna Joabhu. Joabhu ndokubva aridza hwamanda, vanhu vake vakabva vakotonoka paguta iri munhu wese akadzokera kumusha kwake. Joabhu akabva adzokera kuJerusaremu kuna mambo. Joabhu ndiye aiva ari mukuru mukuru wehondo yose zvayo yeIsiraeri. Bhenaya mwanakomana waVaJehoyadha akanga ariye mutungamiri wevaichengetedza mambo, maKereti nemaPereti. Adhoramu aiva mukuru mukuru wezvebasa rechibharo, Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi ariye samunyori mukuru mukuru. Shevha ndiye aiva munyori. Zadhoki naAbhiatari ndovaiva vapristi. Ira wokuJairi aivawo mupristi waDhavhidhi. Kwakaitika nzara mumazuva aDhavhidhi yakapedza makore matatu akasusukidzana. Dhavhidhi akabva ada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo. Tenzi akati, “Pane mhosva yokudeura ropa yakaparwa naSauro nevemba yokwake nokuti akauraya vanhu vekuGibheoni.” Mambo ndokubva adaidza Gibheoni akataura naye. Gibheoni akanga asiri werudzi rumwechete nevaIsiraeri asi ndovamwe vakanga vasara kurudzi rwechiAmoni. VaIsiraeri vakanga vavatsidzira nemhiko kuti vachavasiya vari vapenyu, asi Sauro pamusana peshungu dzake dzokushingairira vanhu vokwaIsiraeri novokwaJudha akanga zvino avauraya. Dhavhidhi akabvunza vechiGibheoni kuti, “Chii chandingakuitirei? Ndingakuripei nei kuti mugokomborera nhaka yaTenzi?” Gibheoni akamupindurawo achiti, “Mhosva yedu isu naSauro kana nemhuri yake haisi yokuripwa nesirivha kana ndarama, uyezve hatina mvumo yokuti titi munhu ngaaurayiwe muIsiraeri muno.” Dhavhidhi akati, “Chamunoda kuti ndikuitirei chii?” Ivo vakati kuna mambo, “Kumunhu akaparadza vamwe vedu achironga zvokutitsakatisa achitishayisa pokugara munyika yose muno yeIsiraeri, tipei vazukuru vake vechikomana vanomwe tigovasungirira mudenga kuGibhea kwaSauro musarudzwi waTenzi.” Mambo akati, “Ndichavapa kwamuri.” Asi mambo akararamisa Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, muzukuru waSauro pamusana pemhiko yaDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro yavakapikirana pana Tenzi. Mambo akatora Arimoni naMefibhosheti vanakomana vaviri vaRizipa mwanasikana waAya waabereka naSauro pamwechete navana vakomana vashanu vaMerabhu mwanasikana waSauro vaakabereka naAdhirieri mwanakomana waBhazirai wokuMehorati. Dhavhidhi akavapa kune vechiGibheoni vakavasungirira mudenga pagomo pana Tenzi vakabva vaparara pamwechete vari vanomwe kudaro. Vakaurayiwa mazuva okutanga enguva yokukohwa, nguva yokutanga-tanga kukohwa bhari. Rizipa mwanasikana waAya akatora saga akariwarira paruware kuti awane pokugara kubvira panguva yokutanga kukohwa kusvikira panguva yomunhuruka. Masikati, aisvokodzera shiri dzedenga kuti dzirege kumharapo, usiku achidzingapo zvikara zvesango. Dhavhidhi akati ataurirwa zvakanga zvaitwa naRizipa mwanasikana waAya murongo waSauro, Dhavhidhi uyu akaenda akatora mapfupa aSauro neemwana wake Jonatani aiva navanhu vokuJabheshi kwaGireadhi. VokuJabheshi ava vakanga vaita zvomuchiverevere vakandoatora panhandare yokuBhetishani paakanga aiswa kumadziro nevaFirisitia panguva yavakauraya Sauro paGiribhaa. Dhavhidhi akatorako mapfupa aSauro neemwanakomana wake Jonatani. Vakaisa pamwechete mapfupa avaye vakanga vaita zvokusungirirwa. Vakaviga mapfupa aSauro neemwana wake Jonatani muguva rababa vake Kishi kunyika yokwaBhenjamini muZera. Vakaita zvose zvakanzi namambo zviitwe. Mushure mezvo Mwari ndopaazodzora zvake mwoyo kunzwa minamato yaiitirwa nyika iyi. VaFirisitia vakazorwazve neIsiraeri ndokubva Dhavhidhi adzikako pamwechete namakurukota ake. Vakarwisana navaFirisitia, Dhavhidhi ndokubva arukutika muviri. Ishibhibhenobhu mumwe wechizvarwa chehofori aiva nepfumo rairema makirogiramu anoda kukwana mana, akasungirira bakatwa idzva akafunga zvokuuraya Dhavhidhi. Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akauya kuzomununura akarwisa muFirisitia uyu akamuuraya. Varwi vaDhavhidhi vakapika kwaari kuti, “Hazvimbofa zvakafanira kuitika zvakare kuti imimi mutosimukawo nesu kuenda kuhondo kundorwa kuti murege kudzimisa mwenje weIsiraeri.” Mushure maizvozvo kwakamukazve hondo navaFirisitia kuGobhu ndokubva Sibhekai wokuHusha auraya Safi aiva mumwe wechizvarwa chehofori. Kwakaita zvakare imwe hondo navaFirisitia kuGobhu. Erihanani mwanakomana waJaareoregimu wokuBheterehemu akauraya Goriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita somutandariko wechinoshandiswa nomuruki. Kwakaitikazve imwe hondo kuGati, ikoko kwaiva nerimwe zirume rino chairo. Mumaoko raiti uku minwe mitanhatu uku mitanhatu, kutsokawo rakati uku zvigunwe zvitanhatu uku zvitanhatu pamwechete makumi maviri nezvina. Aivawo mumwe wechizvarwa chehofori. Paakatafurira Isiraeri, Jonatani mwanakomana waShimei aiva mukoma nomunun'una naDhavhidhi, akamuuraya. Ivava vari vana kudai vakanga vari vamwe vechizvarwa chehofori dzomuGati. Vakaurayiwa naDhavhidhi navanhu vake. Dhavhidhi akadetemba mazwi erwiyo urwu kuna Tenzi paakununurwa naTenzi mumaoko avavengi vake vose nomumaoko aSauro achiti: Tenzi ndiye bako rangu, ndiye nhare nomununuri wangu. Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, simba noruponeso rwangu. Ndiye shongwe yangu yakakwirira, muponesi wokundinunura mumadzudzo. Ndinodaidzira kuna iye anofanira kurumbidzwa, Tenzi; ndinobva ndatonunurwa ini kune vanondivenga. Nokuti masundesunde orufu akandikomberedza, mharadzi dzikati neni momoto semafashamo emvura. Tambo dzenzvimbo yavachakabvu dzakanditi koche koche, mariva orufu akandigaririra. Munhamo yangu iyi ndakachema kuna Tenzi. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, muTemberi yake iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake. Nyika yakadedera ikandengendeka, nheyo dzedenga dzikazunguzika dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa. Akafemeruka utsi mumhuno dzake, rimi romoto rikavavaya, mukanwa make, mukabuda mazimbe anobvira moto. Akabvarura denga akaburuka, gore dema riri pasi petsoka dzake. Akati pakerubhu karakata akabhururuka, akaonekwa achibhururuka mumhepo. Rima raive rakamutenderedza, akariita chokuhwanda nacho, makute edenga matematema chaiwo emvura aya. Pamusana pokupenya kwaiva mberi kwake, mazhenje omoto wemheni aivaima. Tenzi akadhiriridza mudenga umu, izwi raNyadenga rikariridza. Akakanda miseve vakati dzvamu kutiza, nayo mheni vakati ware kutiza. Makoronga omugungwa akaoneka, pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha. Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora, akandinyurura mumvura zhinji. Akandinunura kuvavengi vangu vane simba kuna vaindivenga, nokuti vaiva nesimba kupinda ini. Vakandivinga pazuva renhamo dzangu, asi Tenzi ndiye akava musimboti wangu. Akandiburitsamo akanditi panhandare tendhe, akandinunura nokuti anondifarira. Tenzi akandipa mubayiro, maererano nokururama kwandinako, akandidzorera zvinofambiranawo, nokuchena kwandakaita maoko; nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTenzi; handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari, nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose, mirawo yake ndisingaifuratire. Kwaari iye handina chinoshoreka. Ndakazvichengeta ndisina mhosva. Ndokusaka andidzorerawo maererano nokururama kwandinako zvichifambiranawo nokuchena kwangu mukuona kwake. Kune akatendeka, imi makatendeka, kune akarurama, imi makarurama. Kune ane mwoyo wakanaka imi makanaka, asi kune ane muitiro wakakombama, imiwo munobva mavava. Munonunura vanotambudzika, asi munotsvukisira meso vanozvikudza, kuti muvaorore. Sezvo imi Tenzi murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima; nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi, ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka. Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTenzi ndezvechokwadi, inhoo yevose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTenzi? Ndiani bako, kunze kwaMwari wedu? Mwari iyeyu ndiye diziro rangu akaita kuti nzira yangu ive yakarurama. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori ndinomira. Anondidzidzisa kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira maoko angu anogona kutatamura. Ruponiso rwenyu ndonhoo yamakandipa, nokuzvirereka kwenyu makaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu kutsvedzemuka hadzina. Ndakaronda vavengi vangu ndikavaparadza, kufuratira, ndakatozofuratira vapera kuti dhu. Ndakavazhanya ndikavapwanya-pwanya zvokutadza kana kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. Nokuti simba rokurwa hondo makandipa mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire. Vanondivenga makaita kuti vanditi ware kutiza vanondivenga ndikavaparadza. Vakaparapatika kutsvaka vokuvanunura vakamushaya, kuna Tenzi kwanga kusinawo mhinduro. Ndakavakuya-kuya vakaita sehuruva yevhu Ndikavatsika-tsika ndikavakanya-kanya sedhaka munzira Makandinunura mumhirizhonga yevekwangu mukaita kuti ndirambe ndiri musoro wendudzi dzavanhu, vanhu vandakanga ndisingambozivi vakandishandira. Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba, vachiti vakangonzwa chete nezvangu vonditeerera. Vatorwa vakarasa mwoyo, nokukurumidza vakauya vachidedera. Tenzi mupenyu iye bako rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari wangu, ndiye bako rinondiponesa. Mwari anonditsivira anondiisira ndudzi pasi pangu. Makandipunyutsa kuvavengi vangu. Makandisumudzira pamusoro pevavengi vangu, mukandinunura kuvanhu vehondo. Naizvozvo ndinokurumbidzai iyemi Tenzi mukati mendudzi dzisingakuzivei ndichaimba ndichirumbidza zita renyu. Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo, anoitira mwoyochena muzodzwa wake Dhavhidhi nezvizvarwa zvokwake narini wose. Aya ndiwo mazwi okupedzesera aDhavhidhi. Shoko raDhavhidhi mwana waJese shoko romurume akakwidziridzwa pamusoro muzodzwa waMwari waJakobho muimbi weIsiraeri wepamwoyo. Mweya waTenzi ari kutaura nomandiri shoko rake riri mumuromo mangu. Mwari weIsiraeri ataura iye Bako reIsiraeri anditi: “Kana munhu achitonga vanhu zvine ruenzaniso achitonga achitya Mwari, anoita sechiedza chemambakwedza sokupenya kunoita zuva, semangwanani asina kana kakore nechiedza chacho nemvura yokunaya ruswiswi runobva rwamera pasi.” Handiti ndiwo mamiriro akaita imba yangu naMwari here nokuti akaita neni chitenderano chinogara nokusingapere? Zvinhu zvose akatozvironga kare akatozvisimbisa. Angazorega here kuti ndibudirire achindiitirawo zvido zvangu? Asi vasina hanya naMwari vose vachakukurwa seminzwa, isingaitwi zvokubatwa namaoko. Asi kana munhu oibata anotozviita nesimbi kana nerwiriko rwepfumo. Pairi ipapo ndopainororomeserwa nomoto. Aya ndomazita emagamba aiva naDhavhidhi okurwa: kunoti Jashebhabhashebheti wokuTakemoni, pautatu hwavo ndiye aiva mukuru mukuru. Akarwisa mazana masere avarume akavauraya nepfumo rake muhondo imwechete. Aitevedzerwa naEreazari mwanakomana waDhodho mwanakomana waAhohi. Ndiye akanga aina Dhavhidhi pavaitafurira vaFirisitia vakanga vaunganidzanako kuzorwa hondo ndokubva varwi veIsiraeri vatiza. Iye akamira akauraya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta asisagone kurega bakatwa rake muchanza pamusana pechinyamunhari. Tenzi akaita basa guru kwazvo rokuti vakunde zuva iroro asi vakazodzokerazve kuzopamba zvinhu pazvitunha. Aimutevera wacho ndiShama, mwanakomana waAgee wokuHarari. Pakanga vaFirisitia vaunganidzana pamwechete kuRehi paiva nomunda uzere nyemba, vamwe vaIsiraeri vakatiza vaFirisitia. Asi Shama akamira mukati momunda iwoyo achiudzivirira akauraya vaFirisitia. Tenzi akaita basa guru rokuti vakunde. Munguva yokukohwa, pavakuru vakuru makumi matatu, vamwe vavo vatatu vakasvika kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu izvozvo chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chadzika matendhe mubani rokuvaRefaimu. Izvozvo Dhavhidhi akanga achiri munhare yakavakirirwa chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chiri kuBheterehemu. Dhavhidhi akanzwa nenyota akati, “Dai pangowana mumwe anondonditekera mvura yokunwa kutsime rokuBheterehemu riri pedyo nesuo guru raro.” Magamba okurwa aye ari matatu akatyoredzera nomumatendhe avaFirisitia imomo akandoteka mvura kutsime rekuBheterehemu riri pedyo nesuo guru racho. Vakaichera vakauya nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaiteurira pasi kuna Tenzi achiti, “Tenzi we-e handifanire kumbofa ndakaita chinhu chakadai iropaka iri ravanhu vaendako vachitopinza upenyu hwavo munjodzi.” Naizvozvo kuinwa akaramba. Izvozvi izvi ndizvo zvinhu zvakaitwa nemagamba matatu aya. Abhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya ndiye aiva mukuru mukuru wavo vari makumi matatu. Akarwisa varume mazana matatu nepfumo rake akavauraya akazviwanira mbiri yakada kuita seyevatatu vaye. Ndiye aiva nomukurumbira kwazvo pamakumi matatu avo ndokubva ava mukuru mukuru wavo. Asi pavatatu vaya, haana kupasvika. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzeri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando. Akaurayawo mumwe muIjipiti, murume chaiye akasvika. MuIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko, asi Bhenaya akamuvinga netsvimbo. Akatorera muIjipiti pfumo ndokubva amuuraya nepfumo rake iroro. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa naBhenaya mwana waJehoyadha akazviwanira mbiri yakada kuita seyemagamba matatu aya. Iyeyu uyu aivawo nomukurumbira pamwechete navaya vaya makumi matatu. Asi pavatatu vaya, haana kupasvika Dhavhidhi akamuita mukuru mukuru wevokumuchengetedza iye mambo. Asaheri munun'una waJoabhu aivawo mumwe wamakumi matatu iwaya uye Erihanani mwanakomana waDhodho wokuBheterehemu: kwouya Shama wokuHarodhi naErika wokuHarodhi naHerezi wokuPariti naIra mwanakomana waIkeshi wokuTekoa kwouyawo Abhiezeru wokuAnatoti naMebhunai wokuHusha naZarimoni muAhohi uye Maharai wokuNetofa uyewo Herebhu mwanakoma waBhaana wokuNetofa naItai mwanakomana waRibhai wokuGibhea kwaBhenjamini kwoti Bhenaya wokuPireatoni naHidhai wokumakoronga okuGaashi naAbhiaribhoni wokuAribha naAzimavheti wokuBhahurimu, kwotiwo Eriyahibha wokuShaaribhoni kwouya vanakomana vaJasheni naJonatani mwanakomana waShama wokuHarari naAhihamu mwanakomana waSharari wokwakare kuHarari, kuchizoti Erifereti mwanakomana waAhashibhai wokuMaaka naEriamu mwanakomana waAhitoferi wokuGiro naHeziro wokuKarimeri naPaarai wokuAribhu, kuchitiwo Igari mwanakomana waNatani wokuZobha naBhani wokwaGadhi naZereki muAmoni naNaharai wokuBheeroti ndiye aiva wokutakurira Joabhu mwanakomana wavaZeruya zvombo zvehondo kwozoti Ira wokuItira naKarebhu wokwakareko kuItira naUriya muHiti. Vose pamwechete vaiva vanhu makumi matatu navanomwe. Tenzi akashatirirwa Isiraeri zvakare akaisa muna Dhavhidhi mumwewo mweya wokuti zvivaipire achiti, “Enda uverenge vokwaIsiraeri novokwaJudha.” Mambo akataurira Joabhu navatungamiriri wehondo yake, waaiva naye achiti, “Chienda ubvongodze nomumadzinza okwaIsiraeri neokwaJudha kubvira kwaDhani kusvikira kuBheerishebha uchiverenga vanhu ndigoziva kuti kune vanhu vangani.” Asi Joabhu akapindura mambo achiti, “Hongu zvazvo dai Tenzi, Mwari wenyu akawedzera vanhu kazana kakazanirana kupfuura zvavari kuri zvino mugotozvionawo nameso enyu imi mambo changamire. Asi nhai mambo changamire, ko, madireiko kuita chinhu chakadai?” Zvakataurwa namambo ndizvo zvakatozobudirira pane zvaJoabhu nezvavatungamiriri vehondo. Ipapo Joabhu navatungamiriri vehondo vakabva pana mambo voenda kundoverenga varwi veIsiraeri. Vakayambuka Jorodhani vakadzika matendhe avo kuguta reAroero kubvira kuguta riri mukati mebani vakananga kwaGadhi nokuJazeri. Vakazosvika kuGireadhi nokunyika yavaHiti kuHodhishi, vakasvikawo kwaDhanijaani. Vakabva muDhanijaani vakapota nokuSidhoni. Vakazosvika kuguta retsvingo reTire nokumaguta ose avaHivhi navaKanani. Vakabvamo vakaenda kuNegevhu kwaJudha kuBheerishebha. Kuzoti vabvongodza nyika iyi yose vakadzokera zvavo Jerusaremu, izvozvo kwapera mwedzi mipfumbamwe namazuva makumi maviri. Joabhu akataurira mambo uwandi hwavanhu hwakadai izvi: KwaIsiraeri kwaiva nezviuru mazana masere zvavarume vano chaivo vokurwa namapakatwa. Varume vokwaJudha vaivawo mazana mashanu ezviuru. Asi Dhavhidhi apedza kuverenga vanhu kudaro hana yakamutambudza ndokubva ati kuna Tenzi, “Ndakatadza zvikuru kwazvo nezvandakaita. Zvino ndateterera Tenzi we-e. Ndiregerereiwo chitadzo changu ini muranda wenyu nokuti zvandakaita izvi ndezvoupenzi chaizvo.” Kuzoti Dhavhidhi amuka mangwanani acho, izwi raTenzi rakauya kumuporofita Gadhi, muoni wokwaDhavhidhi rikati, “Enda uti kuna Dhavhidhi, zvanzi naTenzi sarudza chandingaite kwauri pazvitatu izvi zvandiri kukupa.” Nokudaro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akamuti, “Mungade here kuti muno munyika yenyu muve namakore manomwe enzara, kana kuti mupedze mwedzi mitatu muchingotiza vavengi venyu vachikurondai, kana kuti muno munyika yenyu murohwe nedenda kwamazuva matatu? Zvino dai mukapafunga mundipewo mhinduro yokundopa andituma.” Dhavhidhi akati kuna vaGadhi, “Inga ndazotambura zvino. Regai zvenyu ndisve ndarangwa zvangu naTenzi nokuti ngoni dzake dzakanyanya kwazvo. Asi zvokuti munhu ave iye wokundiranga, aiwa.” Saizvozvo Tenzi akarova Isiraeri nedenda kubvira mangwanani kusvikira panguva yakanga yarehwa, kukafa vaIsiraeri zviuru makumi manomwe kubvira kwaDhani kudzamara kundosvika kuBheerishebha. Mutumwa waMwari paakanga zvino oda kuti achiparadza Jerusaremu, Tenzi akanyevenuka mwoyo akarega kuwana chakaipa chaakazoita. Akati kumutumwa akanga achiita basa rokuparadza vanhu, “Zvakwana, chirega.” Izvozvo mutumwa waTenzi akanga ava paburiro ravaArauna vechiJebhusi. Dhavhidhi paakaona mutumwa uyu akanga achirakatisa vanhu akanamata kuna Tenzi achiti, “Inga ndakatadza ndakaita zvakaipa. Ko hwai idzi dzakapareiwo? Ndateterera dai maranga zvenyu ini nevemba yokwababa vangu.” Gadhi akasvika kuna Dhavhidhi musi wakarewo akati kwaari, “Kwirai kuruware rwavaArauna vechiJebhusi muvakire Tenzi atari ipapo.” Nokudaro Dhavhidhi akaendako sokutaura kwakanga kwaitwa naGadhi sezvakanga zvanzi naTenzi zviitwe. Arauna akati tarisei akaona mambo namakurukota ake vachidimura kuuya kwaari. Arauna akabuda akakotamira mambo akatyora uso. Arauna akati, “Mambo changamire mavingeiko kwandiri ini muranda wenyu?” Dhavhidhi akati, “Kuzotenga ruware rwako ndivakepo atari yaTenzi kuti denda rimiswe kuvanhu.” Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Mambo changamire torai zvenyu mupire kuna Mwari zvamunoda, nzombe ndidzodzi idzi, dzomupiro wokupisa, majoki emombe nezvirhei ndizvozvi izvi ndozvehuni. Mambo, ini Arauna, zvose izvozvi ndozvandapa kwamuri mambo.” Arauna akati kuna mambo, “Tenzi, Mwari wenyu ngaakugamuchirei.” Asi mambo akati kuna vaArauna, “Bodo, nokuti zvokutenga ndinofanira kutenga chete nemari kwauri. Handifanire kupira mupiro zvepachena kuna Tenzi, Mwari wenyu.” Nokudaro akatenga ruware rwacho nenzombe namakumi mashanu emari yesirivha yemashekere. Dhavhidhi akavakira Tenzi atari ipapo akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana. Naizvozvo Tenzi akagamuchira minamato yakaitirwa nyika, denda rikabva ramiswa muIsiraeri. Mambo Dhavhidhi paakanga achembera, makore ake aendedzana, kunyange zvazvo vaimufukidza namagumbeze, akanga asisanzwe kudziya. Nokudaro makurukota ake akati kwaari, “Mambo changamire, dai patsvakwa musikana, mhandara, ive yokushandira mambo nokumuchengeta, avate pedyo nechifuva chenyu kuti munzwe kudziya, mambo changamire.” Saizvozvo vakabva vatsvaka musikana, mhandara, ino, yakanaka munyika yose yeIsiraeri. Vakawana Abhishagi wokuShunamu, vakauya naye kuna mambo. Mhandara iyoyi yakanga yakanaka kwazvo. Ndiye akabva ava wokuchengeta mambo nokumushandira. Asi mambo haana kuzivana naye. Adhoniya mwanakomana womukadzi ainzi Hagiti akazvikudza achiti ndinoda kuva mambo, akazvigadzirira ngoro dzehondo navachayiri navanhu makumi mashanu vokumhanya vari mberi kwake. Baba vake havana kumbenge vambomutsiudza zvavo vachiti, “Unoitirei zvauri kuita izvi?” Iyeyu akanga akanakawo kwazvo chimiro uye ndiye aitevedzera Abhusharomu. Akataurirana naJoabhu mwanakomana waZeruya nomupristi Abhiyatari. Vakabvuma kubatsirana naAdhoniya. Asi mupristi Zadhoki naBhenaya mwanakomana waJehoyadha nomuporofita Natani naShimei naRei nemagamba ehondo aiva naDhavhidhi haana kuwirirana naAdhoniya. Adhoniya akapira zvibayiro zvehwai nemombe namagondora akakodzwa ari kuDombo reNyoka pedyo nokuEnirogeri. Akakokako vakomana navanun'una vake vose, vanakomana vamambo nevokwaJudha vose vaiva makurukota amambo. Asi haana kukoka muporofita Natani kana Bhenaya kunyange magamba aye omuhondo kana Soromoni. Natani vakabvunza Bhatishebha amai vaSoromoni kuti, “Hamuna kunzwa here kuti Adhoniya mwana waHagiti atova mambo asi changamire wedu Dhavhidhi havasi kumbozviziva. Saka zvino chiregai ndikupei zano muzviponese upenyu imi nomwana wenyu Soromoni. Ibvai maenda kuna mambo Dhavhidhi mumuti, mambo changamire, hamuna here kunditsidzira ini muranda wenyu kuti Soromoni mwana wako ndiye achatonga mushure mangu, achizogara pachigaro changu choumambo? Ko zvauya sei kuti Adhoniya ava kutonga? Paunenge uchitaura namambo kudaro ndipo pandinobva ndatevera mushure ndozotsinhira mazwi ako.” Saka Bhatishebha akaenda kuna mambo mumba make. Izvozvo mambo akanga ava Harahwa chaiyo, Abhishagi muShunami ndiye aichengeta mambo ivava. Bhatishebha akati pasi gwadagwa kuremekedza mambo, mambo akati, “Tipirei tinzwe nhuna dzenyu.” Akati kwaari, “Changamire imi makatsidza kwandiri ini muranda wenyu naTenzi, Mwari wenyu muchiti Soromoni mwanakomana wako ndiye achatonga mushure mangu achizogara pachigaro changu choumambo. Asi zvino chitarisai muone Adhoniya atova mambo kunyange zvazvo imi mambo changamire musiri kuzviziva. Atopira zvibayiro zvemombe nezvigondora zvakakodzwa nezvehwai zvakawanda kwazvo. Akagokokawo vanakomana vose vamambo nomupristi Abhiyatari naJoabhu mutungamiriri wehondo. Asi Soromoni muranda wenyu haana kumukoka. Zvino mambo changamire meso eIsiraeri yose akatotarisa kwamuri kuvaudza kuti ndiani achagara pachigaro chenyu choumambo mushure menyu mambo changamire. Dzimwe nguva kana imi mambo changamire mukazenge mavata maendawo kwakaenda vamwe madzitateguru enyu ini nemwana wangu Soromoni tichaonekwa savanhu vakapara mhosva.” Pavaingunotaura namambo kudaro muporofita Natani ndiyewo vhu ipapo. Vakazivisa mambo kuti, “Muporofita Natani ava pano.” Paakapinda maiva namambo akati pasi gwadagwa, akatyora uso pana mambo. Natani akati, “Mambo changamire ndimi here imi mati Adhoniya atonge mushure menyu uye agare pachigaro chenyu choumambo? Ndiri kudaro nokuti iye nhasi uno adzika uko akapira zvibayiro zvemombe nezvigondora zvakakodzwa nehwai zvizhinji kwazvo. Akoka vanakomana venyu mambo naJoabhu mukuru wehondo nomupristi Abhiyatari, kurizvino vari kutodya vachinwa naye vachitomuti, ‘Zvigare zvakadaro, mambo Adhoniya!’ Asi ini muranda wenyu nomupristi Zadhoki naBhenaya mwana wavaJehoyadha nomuranda wenyu Soromoni haana kutikoka. Izvi ndimi here, makaronga mambo changamire musina kutinyeverawo isu varanda venyu kuti ndiani achagara pachigaro chenyu choumambo mushure menyu, mambo changamire?” Mambo Dhavhidhi akapindura achiti, “Ndidaidzirei Bhatishebha.” Akapindamo makanga muna mambo akasvikomira pana mambo. Mambo akatsidza nemhiko achiti, “NaTenzi mupenyu akandinunura munhamo dzangu dzose sokupika chaiko kwandakamboita kwamuri naTenzi, Mwari weIsiraeri ndichiti, ‘Soromoni mwana wako ndiye achatotonga chete mushure mangu iye ndiye achagara pachigaro changu choumambo panzvimbo pangu, izvozvo ndozvandiri kutoita iye nhasi uno.’ ” Bhatishebha akakotamira mambo uso hwakatarisa pasi achimuremekedza akati, “Changamire mambo Dhavhidhi raramai nokusingaperi!” Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidaidzirei mupristi Zadhoki nomuporofita Natani naBhenaya mwana waJehoyadha.” Vakasvika pana mambo. Mambo akavati, “Endai namakurukota angu ini changamire muti Soromoni mwanakomana wangu atasve nyurisi rangu ini mudzike naye kuGihoni, ikoko regai mupristi Zadhoki nomuporofita Natani vamugadze umambo hweIsiraeri varidze hwamanda vachidaidzira vachiti, ‘Zvigare zvakadaro mambo Soromoni!’ Munozomutungamidza mouya naye kuno asvikogara pachigaro changu choumambo nokuti ndiye achava mambo panzvimbo pangu. Ndatomusarudza kuti ave mutongi weIsiraeri naJudha.” Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akapindura mambo achiti, “Ndizvozvo chaizvo! Dai Tenzi, Mwari wenyu mambo changamire adarowo. Dai Tenzi sokuva nemi mambo changamire kwaanga achiita avavo naSoromoni saizvozvo aite kuti umambo hwake hukurekure kupinda hwenyu changamire mambo Dhavhidhi.” Saizvozvo mupristi Zadhoki nomuporofita Natani naBhenaya mwana waJehoyadha nowokuchengetedza mambo, Kereti naPereti vakadzika vakakwidza Soromoni panyurusi ramambo Dhavhidhi vakaenda naye kuGihoni. Mupristi Zadhoki akatora chinu chamafuta mutendhe akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakadaidzira vachiti, “Zvirambe zvakadaro mambo Soromoni!” Vanhu vose vakakwidza vachimutevera, nyere dzichirira kuchipemberwa kufara zvikuru kwazvo zvokutotsemura pasi. Adhoniya navose vakakokwa vaaiva navo vakazvinzwa vachingunopedzesa mabiko avo. Joabhu paakanzwa kurira kwehwamanda akabvunza kuti, “Ko mheremhere iyi iri muguta umu ndeyei?” Achiri kutaura kudaro Jonatani mwana womupristi Abhiyatari ndiye vhu ipapo. Adhoniya akati, “Pinda zvako nokuti uri munhu anovimbika unofanira chete kunge uchitotiigira shoko rakanaka.” Jonatani akapindura Adhoniya kuti, “Zviri kupiko nhaimi. Zvaitika uku, changamire mambo Dhavhidhi vatogadza Soromoni umambo. Mambo vamutuma nomupristi Zadhoki nomuporofita Natani naBhenaya mwanakomana waJehoyadha pamwechete newokuchengetedza mambo Kereti naPereti vandomukwidza panyurusi ramambo. Mupristi Zadhoki nomuporofita Natani vatomugadza umambo kuGihoni. Vabva ikoko vachipembera kufara zvokuti muguta umu rangova zhwerendende. Ndiyo mheremhere iyi yamuri kunzwa. Soromoni atogara pachigaro choumambo. Uyewo makurukota amambo asvika kuzokorokotedza changamire mambo Dhavhidhi vachitoti, Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni riende mbiri kupinda imi aitewo kuti umambo hwake hukurekure kupfuura hwenyu. Mambo akamukotamira, pamubhedha wake. Iye mambo atotiwo ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari weIsiraeri apa kuti pave nomwana wangu wokugara pachigaro changu choumambo nhasi uno ini ndichizvionawo nameso angu.” Zvakadederesa vose vaiva vakakokwa naAdhoniya vakati dzvamu uyu kwake uyu kwakwe. Asi Adhoniya akatya Soromoni akasimuka akaenda akandobata zvinenge nyanga zvepaatari. Shoko rakasvika kuna Soromoni rokuti, “Adhoniya ari kutya mambo Soromoni. Izvozvi ndozvaakatobatira zvinenge nyanga zvepaatari achiti mambo Soromoni ngaatange apika kwandiri kuti haazondiuraya nebakatwa ini muranda wake.” Soromoni akati, “Kana akaratidzawo kuti munhu kwaye, hakuna kana rubvudzi rwake rumwechete zvarwo ruchadonhera pasi. Asi kana uipi hukawanikwa maari anotopafa chete.” Mambo Soromoni akatumira shoko, vakandomuburutsa paatari. Akauya akasvikoremekedza mambo Soromoni. Soromoni akamuti, “Chienda zvako kumba kwako.” Kuzoti nguva yokufa kwaDhavhidhi yoswedera akasiya audza mwanakomana wake Soromoni kuti, “Ini ndava kuda kuendawo kwakaenda vamwe. Tsunga mwoyo uite somurume uchengete zvakarehwa naTenzi, Mwari wako, ufambe mumakwara ake uchichengeta mitemo yake nemirao yake nezvirongwa zvake nezvirevo zvake sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi kuitira kuti zvose zvaunoita zvikufambire zvakanaka kwose kwaunoenda, Tenzi agozadzisa zvaakareva nezvangu achiti, ‘Kana vanakomana vako vakachenjerera muitiro wavo vakafamba vakatendeseka kwandiri nomwoyo wose nomweya wavo wose, pachigaro choumambo hweIsiraeri hapazogara pasina murume wokwako.’ Uyewo unozivaka iwe dzandakaparirwa naJoabhu mwanakomana waZeruya. Zvaakaita zviye kune vatungamiriri vaviri vehondo yeIsiraeri kuna Abhuneru mwanakomana waNeru naAmasa mwanakomana waJeteru waakaponda kuuraya iyo yava nguva yorunyararo achitsividza ropa revanhu vakaurayiwa muhondo, akazviisira ropa pabhande rake raiva muchiuno napashangu dzake dzaiva mumakumbo. Wozivawo zvokuita. Asi usati nokuchena kwaaita musoro kudai womurega achienda kuvachakabvu zvakanaka. “Asi vanakomana vaBhazirai vokuGireadhi uvaitire mwoyochena vavewo pakati pevanodya pamwechete newe pateburu yako nokuti ndozvavakandiitirawo pavakauya kwandaiva ndiri pandaitiza mukoma wako Abhusharomu. “Kwouyawo Shimei mwanakomana waGera wokwaBhenjamini wokuBhahurimu akandishura mare kundituka musi wandaienda kuMahanaimu. Asi paakadzika kuzondichingura kuna Jorodhani ndakamupikira naTenzi ndichiti, ‘Handimbokuuraya nebakatwa.’ Asi zvino iwe usati haane mhosva. Iwe uri munhu ane ungwaru. Uchazivawo zvokuita naye. Kunyange zvazvo achena musoro kudaro kuenda kwakwe kuvachakabvu ngakuve kwerufu rweropa.” Dhavhidhi akazovatawo oenda kwakaendawo vamwe, madzitateguru ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Dhavhidhi akatonga Isiraeri kwemakore makumi mana. Akatonga kwemakore manomwe ari kuHebhuroni. Akazotonga kwemakumi matatu amakore ana makore matatu ari kuJerusaremu. Soromoni akagara pachigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi umambo hwake hukanyatsodzika midzi. Adhoniya mwanakomana waHagiti akauya kuna Bhatishebha amai vaSoromoni. Ivo vakati, “Kutsvene here kuuya kudai?” Iye akati, “Kutsvene zvako.” Ndokubva ati, “Ndingambotaurawo zvangu kanyaya nemi here?” Ivo vakati, “Taura zvako.” Iye akati, “Handiti munozviziva kuti umambo hwanga huri hwangu uyewo kuti Isiraeri yose yaitotarisira kuti ini ndini ndichatonga. Asi zvakazouya nepamwe, umambo hukabva hwava hwomunun'una wangu nokuti ndohwake hwokupiwa naTenzi. Asi ndine chichemo chimwechete ichi kwamuri. Dai mukarega zvenyu kundirambidza.” Ivo vakamuti, “Taura zvako.” Iye akati, “Ndikumbirireiwo kuna mambo Soromoni havangambokurambirai kuti vandipewo Abhishagi wokuShunamu achiva zvake mukadzi wangu.” Bhatishebha akati, “Zvakanaka. Ndichakusvitsira chichemo chako kuna mambo.” Bhatishebha akabva aenda kuna mambo Soromoni kundosvitsa chichemo chaAdhoniya. Mambo akasimuka akavachingura akavakotamira kuvaremekedza akagara pachigaro chake choumambo. Akaisirawo amai vake chigaro choumambo vakagara kurudyi rwake. “Ndine kamwe kanhu kandanga ndichida kutaurawo kwamuri. Dai mukarega zvenyu kundirambira.” Mambo akati kwavari, “Kumbirai zvenyu amai handikurambidzii.” Ivo vakati, “Dai mukarega Abhishagi wokuShunamu apiwe zvake kune mukoma wenyu Adhoniya ave mukadzi wake.” Mambo Soromoni vakati kuna amai vavo, “Mazokumbirirei kuti Abhishagi wokuShunamu apiwe kuna Adhoniya? Mukumbirireiwoka umambo. Inga mukoma wangu wani. Handiti mupristi Abhiyatari naJoabhu mwanakomana waZeruya ndevokwake.” Mambo Soromoni akapika naTenzi kuti, “Mwari ngaandione andiomesere kwazvo kana zvataurwa naAdhoniya izvi zvikarega kupinza upenyu kwake murufu. Saka zvino naTenzi mupenyu nyakuita kuti ndidzike midzi pachigaro choumambo chababa vangu Dhavhidhi, akaita kuti imba yangu ive imba youmambo sokuvimbisa kwakaita Adhoniya anotopafa chete iye nhasi uno wakare.” Naizvozvo mambo Soromoni akamutumira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akamuuraya akafa. Mambo akati kumupristi Abhiyatari, “Chiendai zvenyu kuAnatoti kupurazi yenyu nokuti chenyu imi manga muchifanira kufa. Asi pari zvino handikuurayei nokuti ndimi maitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi Mwari muchitungamirira baba wangu Dhavhidhi mukaonerana nhamo pamwechete nababa vangu.” Saizvozvo Soromoni akadzinga Abhiyatari pabasa raTenzi roupristi zvikabva zvazadzisa zvakanga zvarehwa naTenzi pamusoro pemhuri yokwaEri kuShiro. Nyaya iyi payakasvika kuna Joabhu, zvaivapo ndezvokuti Joabhu uyu akanga aita mukumbumumwechete naAdhoniya kunyange zvazvo asina kumbenge aita saizvozvo naAbhusharomu, Joabhu akatizira kutendhe raTenzi akandobata zvinenge nyanga zvepaatari. Mambo Soromoni paakazvitaurirwa kuti, “Joabhu akatizira kutendhe raTenzi izvozvi anotoa paatari.” Soromoni akatumira Bhenaya mwana waJehoyadha achiti, “Enda undomuuraya.” Bhenaya akasvikopinda mutendhe raTenzi akamuti, “Mambo vari kuti, ‘Buda imomo.’ Asi iye akati, ‘Aiwa ndinofira zvangu muno.’ ” Bhenaya akadzokera neshoko kuna mambo rokuti, “Joabhu andipindura achidai izvi.” Mambo ndokumuti, “Ita zvaareva. Muuraye umuvige kuti ubvisire ini nemba yababa vangu mhosva yeropa ravanhu vasina mhaka rakadeurwa naJoabhu. Tenzi achaita kuti ropa raakadeura rimupfukire iye akauraya nebakatwa vanhu vaviri vakarurama kupinda iye vaitova nani pana iye vanaAbhuneru mwanakomana waNeru mutungamiriri wehondo yevokwaIsiraeri, naAmasa mwanakomana waJeteru mutungamiriri wehondo yokwaJudha uyezve akazviita baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi. Imomo ropa ravo richapfukira Joabhu nezvizvarwa zvake nokusingaperi asi kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokumhuri yake noumambo hwokwake kuve norugare runobva kuna Tenzi narini wose.” Saizvozvo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akakwirako akamuuraya akafa. Akavigwa kumusha kwake kurenje. Mambo akaisa Bhenaya mwana waJehoyadha pakutungamirira hondo panzvimbo paJoabhu, akaisawo mupristi Zadhoki panzvimbo paAbhiyatari. Mambo akatumira shoko rokuti Shimei auye akamuti, “Zvivakire imba muJerusaremu muno ugare imomo usambobva zvako ipapo uchienda kumwe. Zvichazoitika ndezvizvi zvokuti zuva rauchabva ipapo uchiyambuka kakova keKidhironi nyatsoziva zvako kuti chako iwe kufa, rufu rwako nderwokuzviparira.” Shimei akadaira kuna mambo achiti, “Zvamareva zvakanaka. Ini muranda wenyu ndichaita sokureva kwenyu mambo changamire.” Saizvozvo Shimei akagara muJerusaremu kwenguva ndefu. Mushure memakore matatu zvakazongoitikawo kuti vamwe varanda vaShimei vaviri vakatizira kuGati kuna mambo Akishi mwanakomana waMaaka. Shimei paakazvitaurirwa kuti, “Inga varanda venyu vari kuGati.” Shimei akasimuka akasunga dongi rake akaenda kuGati kuna Akishi kundotsvaka varanda vake. Shimei akasvikotora varanda vake kuGati akadzoka navo. Pazvakasvitswa munzeve dzaSoromoni kuti Shimei akambobva muJerusaremu akatoenda kuGati akadzoka, mambo akatumira shoko rokuti Shimei auye, akati kwaari, “Handina here kuti upike naTenzi ndikanyatsokudurira kuti pazuva raunongobuda uchienda kupi zvako unofanira kunyatsoziva kuti chako iwe kufa? Iwe ukandipindura uchiti zvamareva zvakanaka ndichateerera. Zvino wakaregererei kuchengeta mhiko yawakapika naTenzi nomutemo wandakakupa?” Mambo akatiwo kuna Shimei, “Handiti mumwoyo uri kutoziva zvakaipa zvose zvawakaitira baba wangu Dhavhidhi. Zvino Tenzi achaita kuti uipi hwako hukupfukire. Asi mambo Soromoni achakomborerwa, umambo hwokwaDhavhidhi huchadzikiswa midzi naTenzi narini wose.” Mambo akamutumira Bhenaya mwana waJehoyadha, akabuda akamuuraya akafa. Naizvozvo umambo hwakabva hwanyatsova chaizvo mumaoko aSoromoni. Soromoni akaita ukama naFarao mambo weIjipiti hwokuroorerana, akaroora mukunda waFarao. Akamboenda naye muGuta raDhavhidhi kusvikira apedza kuvaka imba yake nembawo yaTenzi nokukomberedza Jerusaremu norusvingo. Izvozvo vanhu vainge vachipirira zvibayiro panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nokuti hakuna imba yakanga yati yavakwa yokuisa zita raTenzi. Soromoni aida Tenzi achitevedza mirao yababa wake Dhavhidhi, kutongoti chete aipira zvibayiro nokupisira rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira. Mambo uyu akaenda kuGibheoni kundopira chibayiro ikoko nokuti ndiyo yakanga iri nzvimbo huru yakatunhumara yokuteurira. Soromoni aiwanzopira mipiro yokupisa chiuru paatari. Kwakareko kuGibheoni Tenzi akazviratidza kuna Soromoni mukurota usiku. Mwari akati, “Kumbira chaungade kuti ndikupe.” Soromoni akati, “Makaitira baba wangu Dhavhidhi muranda wenyu mwoyochena mukuru kwazvo pamusana pokuti vaiva munhu akatendeka kwamuri akarurama ari pachokwadi mwoyo wake uri kwamuri. Mwoyochena wenyu mukuru kwazvo makaramba uinaye mukamupawo mwanakomana wokugara pachigaro choumambo nhasi uno. Zvino Tenzi Mwari wangu, imi ndimi makaita kuti ini muranda wenyu ndive mambo panzvimbo pababa wangu Dhavhidhi, asi ini ndiri mwana muduku handigoni kutungamira. Ini muranda wenyu ndiri pakati pavanhu venyu vamakasarudza rudzi rukuru kwazvo runa vanhu vasingaverengeki kana kuverengetwa. Dai mukachindipawo ini muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti ndiwane matongero vanhu venyu ndichanyatsoona pakanaka nepakaipa nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai?” Tenzi akafadzwa nezvakanga zvakumbirwa naSoromoni. Mwari akati kwaari, “Pamusana pokuti wakumbira izvi ukarega kuzvikumbirira upenyu urefu kana upfumi kana kukumbira kuti vavengi vako vafe, ukazvikumbirira kunzwisisa kuti uwane matongero, chinzwa zvawakumbira ndozvandava kukuitira. Ndinokupa ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvokuti hapana kumboita mumwe akaita sewe kana kuzovazve nomumwe akaita sewe. Uye ndinokupawo zvimwe zvausina kukumbira zviviri izvi zvinoti upfumi nechiremera zvokuti hapana mumwe mambo angazomboenzaniswawo newe upenyu hwako hwose. Kana ukafamba mumakwara angu ukachengeta mirao nemitemo yangu sezvaiita baba wako Dhavhidhi ndichakupa upenyu urefu.” Soromoni ndiye kwake pepu, ndokuti, “A-a inga kurota zvako.” Akaenda kuJerusareu akandomira pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana. Akazoitirawo makurokota ake ose mabiko. Pfambi mbiri dzakauya kuna mambo dzikamira paari. Imwe yadzo yakati, “Changamire ini nomukadzi uyu tigere tose mumba imwechete. Ndakasununguka mwana iye aineni mumba imomo. Mazuva matatu akati apera ini ndasununguka, mukadzi uyu akasunungukawo. Takanga tiri toga pauviri hwedu mumba imomo musina mumwe. Mukadzi uyu mwana wake mukomana akafa usiku nokuti iye akamutsitsirira. Iye akamuka pakati pousiku ndokutora mwana wangu mukomana parutivi pangu, ini muranda wenyu ndiri kutsi kwehope akamurarisa mumaoko ake. Akararisa mwana wake mukomana akafa parutivi pangu. Ndakati mukei mangwanani kuti ndichiyamwisa mwana wangu wanei akafa. Asi ndakazonyatsomutarisa kwaedza ndikaona kuti haasiri iye mwana wangu wandakabereka.” Asi mumwewo wacho akabva ati, “Aiwa, mupenyu uyu ndiye mwana wangu, wako ndiye wafa.” Mumwe ndokuti, “Kwete kani wako ndiye wafa, wangu mupenyu.” Ndokukakavadzana kwavaiita pana mambo. Mambo akati, “Uyu ari kuti, ‘Mwana wangu mupenyu wako ndiye wafa,’ uyuwo achiti, ‘Aiwa wako ndiye wafa wangu mupenyu.’ ” Mambo ndokuti, “Nditorerei bakatwa!” Saka vakauya nebakatwa kwaari. Mambo akati, “Chekai mwana iyeyo nepakati muvape, muti uyu chidimu uyu chidimu.” Pamusana pokunzwa mwoyo kurwadza amai vomwana mupenyu uyu vakati kuna mambo, “Changamire chimupai zvenyu mwana mupenyu iyeyu musambomuuraya zvenyu.” Asi mumwe wacho akati, “Ngaarege kuva wako kana wangu ngaatodimurwa.” Mambo akati, “Mwana mupenyu uyu ngaapiwe mukadzi uyu, musamuuraye, ndivo amai vake ivava.” Isiraeri yose yakanzwa mutongero wainge waitwa namambo zvikaita kuti vatye mambo, nokuti vakanga vaona kuti aiva noungwaru hwaMwari pakutonga. Mambo Soromoni aitonga Isiraeri yose zvayo. Aiva makurukota ake ndeaya anoti: Muprisiti aiva Azariya mwanakomana waZadhoki samunyori ari Erihorefu naAhiya vanakomana vaShisha samunyori mukuru aiva Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi. Mutungamiri wehondo aiva Bhenaya mwanakomana waJehoyadha vamwe vapristi vaiva Zadhoki naAbhiyatari. Mukuru mukuru wamasadunhu aiva Azariya mwanakomana waNatani. Jinda ramambo neshamwari yamambo aiva mupristi Zabhudhi mwanakomana waNatani. Mukuru mukuru wapamuzinda wamambo aiva Ahisha. Mukuru mukuru webasa rechibharo aiva Adoniramu mwanakomana waAbhudha. Soromoni aiva namasadunhu gumi namaviri ndoaiva okuwanira chokudya mambo navose vomumuzinda make. Mumwe nomumwe aiva nebasa rokuwanira mambo zvokudya kwomwedzi wose pagore. Mazita avo ndeaya, kwaiti: Bhenihuri kunyika yokwaEfuraimu yemakomo Bhenidhekeri kuMakazishaaribhimu nokuBhetishemeshi neEronibhetihanani Bhenihesedhi kuArubhoti sadunhu wokuSoko noruwa rweHeferu rwose Bheniabhinadhabhu kuNafatidhori uyu akanga akaroora Tafati mukunda waSoromoni Bhaana mwanakomana waAhirudhi sadunhu wokuTaanaki nokuMegidho nokuBhetishani yose pedyo nokuZaretani kumaodzanyemba kweJezirieri, kubvira kuBhetishani kundosvika kuAbherimehora kundoyambukira kuJokimeamu Abherimehora sadunhu wokuRamatigireadhi nemisha yomuGireadhi yevemhuri yokwaJairi mwanakomana wokwaManase noruwa rwose rwokwaArigobhu kuBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu ane tsvingo ane zvihuri zvemisuo mikuru zvendarira Abhinadhabhu mwanakomana waIdho sadunhu wokuMahanaimu Ahimaazi sadunhu wokwaNafutari (uyu akanga akaroorawo mukunda waSoromoni, Bhasimati) Bhaana mwanakomana waHushai sadunhu wokwaAsheri nokuAroti Jehoshafati mwanakomana waParua sadunhu wokwaIsakari Shimei mwanakomana waEra sadunhu wokwaBhenjamini Gebheri mwanakomana waUri sadunhu wokuGireadhi nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgu mambo weBhashani ndiye oga aiva sadunhu. VokwaJudha nevokwaIsiraeri vaiva vakawanda sejecha romumahombekombe egungwa. Vaidya vachinwa upenyu huchivafadza. Soromoni aitonga nyika dzose kubvira muna Yufuratesi kusvikira kunyika yevaFirisitia nokumuganhu weIjipiti. Vaitera mutero vachishandira Soromoni upenyu hwake hwose. Pazuva, kwaSoromoni kwaidiwa zvokudya zvakadai izvi, kwaiti: makumi mashanu amasaga oupfu hwekoroni hwakatsetseka, nezana ramasaga oupfu nemombe gumi dzakakodzwa nedzimwe mombe makumi maviri uye mbudzi nehwai zana kwouyawo nondo nemhara nemhembwe nehuku dzakakodzwa. Chaidariso ndechokuti aitonga dunhu rose rokumadokero kwaYufuratesi kubvira kuTifusa kusvikira kuGaza achitonga madzimambo ose kumadokero aYufuratesi aine runyararo mativi ose akanga akamupoteredza. Panguva yose yaSoromoni kwaJudha nokwaIsiraeri kwakanga kuine runyararo kubvira kwaDhani kundosvika kuBheerishebha munhu wose ari pamutambarakede pamuvhaini nepamukuyu wake. Soromoni aivawo notumatanga twemabhiza zviuru makumi mana navachairi vawo zviuru gumi nezviviri. Masadunhu aye aye ndiwo aiwanira mambo Soromoni zvokudya nevose vaidya pamwechete namambo Soromoni pateburu yake, mumwe nomumwe mwedzi wake, ndiwowo aiwona kuti hapana here chiri kushayikwa. Vaiunzawo bhari nemashanga amabhiza namanyurusi kwazvainge zvanzi zviunganidzirwe maererano nezvirongwa zvasadunhu woga woga. Mwari akapa Soromoni ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvakanyanyisisa kwazvo noruzivo rwakawanda chaizvo sejecha romumahombekombe egungwa zvokuti ungwaru hwaSoromoni hwaipfuura ungwaru hwevanhu vose vokumabvazuva noungwaru hwose hwokuIjipiti. Uyezve akanga aine ungwaru kupinda munhu wose, kupfuura Etani vokwaEzira naHemani naKarikorai naDharidha vanakomana vaMahori. Akaenda mbiri munyika dzose dzaiva dzakapoteredza. Akaita tsumo zviuru zvitatu nenziyo chiuru chimwechete chine shanu. Aigona kukurukura nezvemiti kubvira kumushidhari uri kuRebhanoni kusvikira pakamuti komuhisopi kanomera pamadziro. Aikwanisawo kukurukura nezvemhuka neshiri nezvezvinozvova napasi uye nezvehove. Vanhu vaiuyako vachibva kundudzi dzose kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni vachibvawo kumadzimambo ose apasi pano akanga anzwa nezvoungwaru hwake. Hiramu mambo wokuTire paakanzwa kuti vakagadza Soromoni umambo panzvimbo yababa vake, akatuma makurukota ake kwaari nokuti Hiramu uyu, chigariro chake chose akanga achinzwanana naDhavhidhi. Soromoni akatumirawo Hiramu shoko rokuti, “Munozvizivawo kuti baba vangu Dhavhidhi havana kuzokwanisa kuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wavo pamusana pedzihondo dzaiva dzakavakomba kumativi ose. Zvaitozoitika Tenzi aisa vavengi vavo pasi petsoka dzavo. Asi pari zvino, Tenzi akandipa runyararo kumativi ose, hakusisina kana mhandu zvayo kunyange chimwe chakaipa zvacho. Zvino ndanga ndati ndichivakira Tenzi, Mwari wangu imba yokuisa zita rake sokureva kwakaita Tenzi kuna baba vangu Dhavhidhi achiti, ‘Mwanakomana wako wandichaisa pachigaro chako choumambo panzvimbo pako ndiye achandivakira imba yacho yokuisa zita rangu.’ Zvino dai mati vashandi venyu vanditemerewo miti yemisidhari yokuRebhanoni. Vashandi vangu vachashanda pamwechete nevashandi venyu. Ini ndichakubhadharai mari yokutambirisa vashandi venyu sokutema kwamunenge maita. Sokuzivawo kwamunongoita isu hatina munhu anoziva kutema miti sezvinoita vaSidhoni.” Pakasvika shoko raSoromoni munzeve dzaHiramu akafara kwazvo akati, “Tenzi ngaarumbidzwe adai nhasi kupa Dhavhidhi mwanakomana ano ungwaru kuti atonge rudzi rwavanhu uru rukuru kudai.” Hiramu akadzorawo shoko kuna Soromoni achiti, “Shoko ramakanditumira ndakarinzwa. Zvamakareva panyaya yemapango omusidhari neemusaipurasi ndozvandichaita. Vashandi vangu vachaabvisa kuRebhanoni vachindoaisa kugungwa. Ndichaasunga masvinga masvinga agoita zvokuyeredzerwako nomugungwa asvikire kwamunenge muchida. Ikoko ndokwandichazoasunungura moatorerako zvenyu. Chandingadewo kwamuri kuti mundipirewo chokudya vomumuzinda mangu.” Saizvozvo Hiramu aipa Soromoni mapango ose aaida omusidhari neemusaipurasi. Soromoni aipawo Hiramu masaga ekoroni makumi mana ezviuru echokudya chomumuzinda make pamwechete namafuta eorivhi okusvina anokwana mazana mana ezviuru zvamarita. Soromoni aipa Hiramu izvozvi izvi gore negore. Tenzi akapa Soromoni uchenjeri sokumuvimbisa kwaakanga aita. Soromoni naHiramu vainzwanana vakatosvika pakuita chibvumirano pauviri hwavo. Mambo Soromoni akati muIsiraeri mose munyorwe vanhu vebasa rechibharo kukawanikwa varume makumi matatu ezviuru vebasa racho rechibharo. Akavatumira kuRebhanoni. Aivatumira vari muchikwata chine vanhu gumi rezviuru pamwedzi woga woga. Vaipedza mwedzi vari kuRebhanoni mimwe miviri vaipedzera vari kumusha. Adhoniramu ndiye aiva mukuru mukuru wokuona nezvebasa rechibharo. Soromoni aivawo namakumi manomwe ezviuru zvevatakuri vezvinhu navavezi vamatombo makumi masere ezviuru zvavanhu vaiva kunyika yokumakomo. Soromoni aivawo navakuru vakuru vokutungamirira basa vaitarisa vanhu vaishanda basa irori vaikwana zviuru zvitatu zvine mazana matatu. Mambo akapa chirevo, ivo vakakwakwanura mazibwe anokosha okuvakisa ugaro hwemba yacho namabwe akavezwa. Naizvozvo vavaki vokwaSoromoni nevokwaHiramu navarume vokuGebhari ndivo vaitema miti nokuveza mapango namabwe okuvakisa imba yacho. Mugore remazana mana nechimakumi masere racho vaIziraeri vabva kunyika yeIjipiti, mugore raSoromoni rechina rokutonga Isiraeri, mumwedzi waZivhi mwedzi wechipiri ndimo maakatanga kuvakira Tenzi imba. Imba yacho yakavakirwa Tenzi namambo Soromoni, urefu hwayo hwaiita makumi maviri amamita ana mamita manomwe, upamhi hwayo huri mamita mapfumbamwe, kukwira kwayo mudenga kuchiita mamita gumi namatatu ane chidimbu. Kamba kepamusuo usati wapinda mukati memba yacho, kaiva nourefu hwaita mamita mapfumbamwe sezvaiva zvakangoitawo upamhi hwemba yacho. Upamhi hwekamba kepamusuo pemba iyi hwaiva mamita mana nechidimbu. Imba iyoyi akaiitirawo mahwindo ezvitanda zvakachinjikwa-chinjikwa. Akavakawo chimwe chengo chakatendererana nemba iyi yose nechokunze, chakatendererana nemba iyoyi yose nenzvimbo yayo inoera achikamura-kamura mukati kuita dzimba. Paunhurikidzwa hwayo, yapasi yaiva noupamhi hwaiita mamita maviri ane masendimita makumi maviri. Yapakati yacho yaiita mamita maviri ane masendimita makumi manomwe upamhi. Yokumusoro yaivawo noupamhi hwaiva mamita matatu ane masendimita gumi. Chakadariso ndechokuti nechokunze kwemba iyoyo pamadziro, akavaka zvinenge zviga kuitira kuti mapango emwamba yenhurikidzwa dzacho arege kuita zvokupfekerwa mumadziro emba iyoyo. Paivakwa imba iyoyi, yaivakwa namabwe akanga akatovezwa kare kwaaikwakwanurirwa ikoko zvokuti kunyange kugogodza kwenyundo kana kwedemo kana kweimwewo simbi zvayo hakuna kunzwikwa muTemberi imomo payainge ichivakwa. Musuo womunhurikidzwa yapasi waiva kumaodzanyemba kwemba iyoyi. Painge paine manera okuenda nawo kunhurikidzwa yapakati namamwewo okuenda kunhurikidzwa yechitatu yacho. Saizvozvo Soromoni akavaka imba iyi akaipedza. Akaita denga remba iyoyi namapango omusidhari akanyatsorongwa. Akavaka nhurikidzwa yaiva yakatendererana nemba yacho yose, chengo chenhurikidzwa yoga yoga kukwira mudenga chakanga chichiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, chaiva chakabatanidzwa kumba iyoyi namapango omusidhari. Zvakabva zvazoitika kuti shoko raTenzi rakauya kuna Soromoni richiti, “Panyaya yemba yauri kuvaka iyi, kana ukatevedza mirao yangu uchichengeta zvirevo zvangu nokuteerera mitemo yangu yose uchiitevedza, ndopandichaita kwauri zvandakavimbisa baba vako Dhavhidhi. Ndichaita musha wangu mukati mavaIsiraeri ndisingazomborasa vanhu vangu vaIsiraeri.” Nokudaro Soromoni akavaka imba yacho akaipedza. Soromoni akaroverera kumadziro omukati emba iyoyo mapuranga omusidhari akavezwa kubvira pasi kusvikira mudenga panoperera chengo zvokuti madziro emukati iwayo akati namapuranga chechetere. Akanyatsotiwo pasi apa namapuranga omusaipuresi ware ware. Akaita kamwe kamba kuseriseri kwemba iyi nechomukati kaiva namamita mapfumbamwe. Akakaita namapuranga akavezwa emusidhari kubvira pasi kusvikira mudenga panoperera chengo. Akakavakira nechomukati imomo senzvimbo inoera yomukatikati, nzvimbo inoeresesa. Tisati tasvika kune ikaka aka, imba yacho chaiyo yaiva nourefu hunoita mamita gumi namasere, tichireva Temberi yacho chaiyo. Mapuranga acho omusidhari omukati memba imomu akanga akavezerwa paari zvimwe zvinenge mapudzi namaruva akazaruka. Imba yose yaingova musidhari chete, pasingaonekwe kana ibwe. Nzvimbo inoera iya yomukati akaigadzirira nechomukatikati memba iyoyi kuti aisemo bhokisi raTenzi rechitenderano. Nzvimbo iyi inoera yomukatikati yaiva nourefu hwaiita mamita mapfumbamwe, upamhi hwayo huri mamita mapfumbamwe, kukwira kwayo mudenga kuchiita mamita mapfumbamwe, akaitsvetera ndarama chaiyo yakanakisisa. Pamberi payo akagadzirawo atari yakaitwa nomusidhari. Soromoni akatsvetera mukati memba yacho nendarama chaiyo yakanakisisa. Akachingamisa cheni dzendarama pamberi penzvimbo inoera yomukatikati akaitsvetera ndarama. Akatsvetera imba iyoyo yose nendarama kusvikira imba iyoyo yapera yose. Atari yomukatikati kunzvimbo inoera akaitsveterawo yose nendarama. Munzvimbo inoera yomukatikati iyi akagadzira mifananidzo miviri yezvisikwa zvinonzi makerubhu zvakaitwa nomuti womuorivhi. Kerubhu roga roga rakanga riine urefu hunoita mamita mana ana masendimita makumi mana. Bapiro rimwechete rekerubhu raiva rakareba mamita maviri namasendimita makumi maviri. Saizvozvo rimwe bapiro rekerubhu rakanga rakarebawo mamita maviri ana masendimita makumi maviri. Nokudaro kubvira kunoperera rimwe kusvikira kunopererawo rimwe racho paiita mamita mana ane masendimita makumi mana kureba. Rimwewo kerubhu rakanga rakangorebawo mamita mana ane masendimita makumi mana. Makerubhu iwayo ose ari maviri akanga aine urefu humwechetehwo nechimiro chimwechetecho. Marebero akanga akaita kerubhu rimwechete kuenda mudenga ndomarebero akanga akaita rimwe racho. Akamisa makerubhu aya mukatikati chaimo memba iyoyo. Mapapiro emakerubhu akanga akatambanudzwa zvokuti bapiro rerimwe kerubhu raiva rakaguma madziro okuku, bapiro rerimwewo kerubhu rakagumawo madziro okuku; mamwewo mapapiro aya akagumana nechepakati pemba iyi. Akatsvetera makerubhu iwaya ndarama. Akavezera mufananidzo yemakerubhu neyemiti yemirara namaruva akazaruka pamadziro ose emba iyoyo kuatenderera omukamba kaye kwomukati nedzimwe dzimba dzokunze dzacho. Uriri hwemba iyi akahutsvetera nendarama, hwekamba kaya kwomukati nehwedzimwe dzimba dzacho. Musuo womukati munzvimbo inoera akaugadzirira magonhi omuti womuorivhi. Magwatidziro omusuo iwoyo nerepamusoro pacho akanga akagadzirwa zvokuti aiita mativi mashanu. Pamagonhi maviri aya omuorivhi akati tsvete nemifanidzo yemakerubhu neyemirara neyamaruva akazaruka akaitwa zvokuvezerwapo. Akazvitsvetera ndarama, akatsveterawo ndarama makerubhu nemifananidzo iya yemirara. Ndizvozvo zvaakaita pamusuo weTemberi, akaugadzirira magwatidziro omuti womuorivhi zvokuti musuo wakava namativi mana. Akaita magonhi maviri omuti womusaipurasi. Rimwechete raigona kugonya richipeteka, rimwewo racho richigona kugonyawo richipetekawo. Akavezera paari mifananidzo yemakerubhu neyemiti yemirara neyamaruva akazaruka. Akatsvetera paari nepane zvakavezerwapo zviye ndarama achizora zvakaenzanirana. Akavakira ruvanze chidziro chamabwe akavezwa akarongwa mitsara mitatu kukwira nomutsara mumwechete wamapango omusidhari. Mugore rechina iroro ugaro hwemba iyoyo yaTenzi hwakavambwa mumwedzi waZivhi iwoyo. Kuzoti mava mugore regumi nechiposhi mumwedzi waBhuru, mwedzi wechisere, imba iyoyi yakapera kuvakwa nezvayo zvose zvaifanira kuvakwa maererano nezvakanga zvakarongwa pairi kuti zviitwe. Akapedza makore manomwe achiivaka. Soromoni akazvivakirawo muzinda wake. Akaita makore gumi namatatu achiuvaka akaupedza kuuvaka wose. Akavaka imba yainzi Imbayesangorerebhanoni. Urefu hwayo hwaiita makumi mana emamita anamamita mana, upamhi hwayo mamita makumi maviri ane maviri kureba kwayo kuenda mudenga ina mamita gumi namatatu ane masendimita makumi mashanu. Yaiva yakavakwa nemitsara mina yemhanda dzomuti womusidhari, mapango omusidhari akatandarikwa pamhanda idzi. Dzimba dziya dzaiva pamusoro pemhanda makumi mana ane shanu, mumutsara woga woga muine mhanda gumi neshanu, dzakanga dzakawarikwa mapango omusidhari. Yaive nemitsara mitatu yamafuremu emahwindo, mahwindo acho akatarisana ari pamba yenhurikidzwa ine nhurikidzwa nhatu. Magwatidziro emisuo yose akanga aina mativi mana akaenzana, mafuremu ose amahwindowo akanga aine mativi mana akaenzana. Mahwindo acho akanga akatarisana ari pamba yenhurikidzwa ine nhurikidzwa nhatu. Akavakawo zimba rainzi Imba yemhanda. Urefu hwayo hwaiita mamita makumi maviri namaviri, upamhi hwayo huri gumi ramamita rina mamita matatu ana masendimita makumi mashanu. Kumusuo kwayo, usati wapindamo, yaiva nakamba kepamusuo kane berere. Akavaka rimwe zimba mainzi muDare maaitongera, ndomaiva muDare imomo. Yakanga yakanzi chechetere nomusidhari kubvira pauriri hwayo kusvikira panoperera chengo. Dzimbahwe, imba yake chaiyo yokugara, yaiva munzvimbo yeseri kwezimba reDare yakanga iine muvakirwo mumwechetewo. Soromoni akavakirawo mukunda waFarao waakaroora, imba yakafanana nezimba irori. Dzose idzodzi dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha aiva akavezwa nomwero wakatemwa achiita zvokunyatsochekwa nasaha amatombo kunze nomukati, kubvira paugaro hwemba iyoyo kusvikira kunoperera chengo, kubvirawo kunze kusvikira munhandare huru. Ugaro hwemba iyi hwakanga huri kwemazibwe makuru kwazvo, mamwe aiva nemamita matatu ana masendimita makumi mashanu kureba mamwe aine mamita mana. Pamusoro pahwo paiva namabwe anokosha akaita zvokuvezwa zviri pamwero Wakatemwa, painewo mapango omusidhari. Nhandare huru yaiva nechengo chemitsara mitatu yamabwe akavezwa kuitenderera, nomutsara mumwechete wamapango omusidhari. Ndozvakanga zvakaitawo nhandare yomukati yemba yaTenzi nekamba kapamusuo. Mambo Soromoni akatumira shoko kundodaidza Hiramu kuTire, akabva auya. Akanga ari mwanakomana wechirikadzi yedzinza rokwaNafutari. Baba vake vaiva munhu wokuTire webasa rendarira. Vaiva munhu azere noungwaru nokunzwisisa noumhizha hwebasa rose zvaro rendarira. Hiramu akauya kuna Soromoni akasvikomuitira basa rake rose. Akagadzira misimboti miviri yendarira. Mumwechete waiva mamita masere kureba uri mamita matatu ane masendimita makumi matatu kufuta uine mhango pakati kukobvuka kwawo kuine upamhi hweminwe mina. Musimboti wechipiri wakanga wakangofananawo nawo. Akagadzirawo zvepamusoro payo zviviri zvendarira achiita zvokuinyungurutsa, zvokushongedza pamusoro pemisimboti iyoyo. Kukwira mudenga, urefu hwezvepamusoro zvacho chimwe nechimwe hwaiva mamita maviri ane masendimita makumi maviri. Akagadzirazve necheni mambure maviri anenge sefa okushongedza nawo zvepamusoro pemisimboti iyi achiti pamusimboti uyu mhaswa nomwe, pamusimboti uyu mhaswa nomwe. Saizvozvo akagadzirira misimboti iyi mitsara miviri yezvinenge michero yamapomegiraneti kutenderera mambure acho achishongedza zvimwechetezvo zvepamusoro pemusimboti iyi yose iri miviri. Zvepamusoro zvacho zvakanga zviri pamusoro pemisimboti iyi yaiva pamberi pekamba kapamusuo zvaiva zvakaitwa samaruva amahapa zvichiita mita rimwechete rina makumi masere amasendimita kureba. Pane zvinhu zviya zvepamusoro pemisimboti iyi uyewo napamwe pakanga pakafutumara kuitenderera; munyasi memambure aye aye paiva namapomegiraneti mazana maviri akanga ari mumitsara miviri kuitenderera ndozvakanga zvakaita zvinhu zviye zvepamusoro pacho zvose zviri zviviri. Akamisa misimboti iyoyi pamberi pekamba kepamusuo weTemberi. Akamisapo musimboti nechokumaodzanyemba kwepo akautumidza zita rokuti Jakini, akamisawopo musimboti nechokuchamhembe akautumidza zita rokuti Bhoazi. Pamusoro pemisimboti yacho iyi paiva pakaitwa samaruva ejongwe. Saizvozvo basa rokugadzira misimboti rakabva rapera. Akagadzira zibhavhu ziguruguru kwazvo noutare hwaakaita zvokunyungurutsa. Rakanga rakatenderera richiita mamita mana ana masendimita mana kubva pamuromo kuyambuka kune mumwe muromo. Udzamu hwaro hwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwaro huchiita mamita mana ana masendimita makumi mana. Kuritenderedza rose raiita mamita gumi nematatu ana masendimita makumi maviri. Nechepasi pomupendero waro pakanga pakaitwa zvinenge mapudzi zviri makumi maviri pamita yoga yoga. Zvainge mapudzi izvi zvakanga zvakaita zvokuumbirwa pazibhavhu iri pamwechete naro parakagadzirwa zviri mumitsara miviri. Rakanga rakagara pahandira gumi nembiri, nhatu dzacho dzakaringira kuchamhembe, dzimwe nhatu dzakaringa kumadokero dzimwe dzacho nhatu dzakaringira kumaodzanyemba, dzimwewo nhatu dzakaringa kumabvazuva, shure kwadzo dzose kwakanga kuri nechomukati, zibhavhu iri riri pamusana padzo. Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sechanza. Mupendero waro wakanga wakaita somupendero wekapu, seruva ramahapa. Zibhavu iri raipinda mazana maviri amadhiramu ane madhiramu makumi matanhatu namaviri emvura. Hiramu akagadzirawo nendarama mitumbi yengoro gumi. Mutumbi woga woga wakanga uchiita mita rimwechete rina masendimita makumi masere kureba, upamhi hwacho huchiitawo mita rimwechete rina masendimita makumi masere urefu hwacho kuenda mudenga hwaiva mita rimwechete rina masendimita makumi matatu. Magadziriro akanga akaitwa mitumbi yengoro idzi ndaaya: yaiva namapanga okumisa endarira. Pakati pamapango iwayo pakaiswa marata endarira. Pamarata iwayo akanga akaiswa pakati pamapango okumisa acho, pakanga pakaitwa mifananidzo yeshumba neyehandira neyezvimwe zvisikwa zvinonzi makerubhu. Pamusoro pamapango okumisa pari pamusoro nepasiwo peshumba nehandira dziye paiva nounyerekete hwomurongorongo wamaruva. Ngoro imwe neimwe yaiva namavhiri mana nemitanda yendarira. Ngoro yoga yoga yaiva nebhavhu. Mumakona ayo maiva nezvokutsigira bhavhu. Zvokutsigira nazvo izvi pazvakaitwa noutare hwokunyungurutsa zvakaumbwa zviine tumirongorongowo twazvo twamaruva mativi ose. Muromo wemaraigadzikirwa waiva uchiita masendimita makumi mashanu udzamu. Muromo iwoyo wakanga wakatenderera sezvainge zvakangoitawo pasi pechigadzikiro ichi. Kubvira pamuromo wacho kusvikira pasi pagaro racho paiita masendimita makumi manomwe ana mashanu. Kumuromo kwacho kwakanga kwakanyatsonyorwapo zvimwe zvokushongedza. Marata aya engoro akanga aina mativi mana akaenzana aiva asiri madenderedzwa. Mavhiri mana aya akanga ari nechepasi pamarata aya. Mitanda yacho yemavhiri adzo yaiva yakabatanidzwa nemitumbi yengoro idzi. Upamhi hwevhiri rimwechete hwaiva huchiita masendimita makumi manomwe namashanu. Mavhiri iwayo akanga akagadzirwa semavhiri engoro dzehondo. Mitanda yacho namavhiri acho nezvipokisi zvawo namadura acho zvaiva zvakaumbwa noutare hwokunyungurutsa. Makanga muine zvokutsigira zvina mumakona mana engoro imwe neimwe. Zvokutsigira izvozvi zvaiva zvakabatana nengoro idzi. Pamusoro pengoro yoga yoga paiva nebhande rakaitenderera richiita masendimita makumi maviri ana maviri kureba. Pamusoro pengoro mbariro dzayo namarata ayo zvakanga zvakangobatana kuita chinhu chimwechete nayo. Pakapamhama pembariro napamarata napose paiwanika kanzvimbo, akaita mifananidzo yemakerubhu neyeshumba neyemiti yemirara nounyerekete hwomurongorogo wamaruva kuitenderera. Ndomugadziriro waakaita ngoro idzi dziri gumi. Dzose idzodzi dzakaforomwa muforoma dzimwechetedzo dziine mwero mumwechete dzakangoitawo zvimwechetezvo. Akagadzirawo mabhavhu gumi endarira. Bhavhu rimwe nerimwe raipinda madhiramu mashanu emvura. Bhavhu roga roga raiita mita rimwechete rina masendimita makumi masere upamhi. Dziri gumi kudaro, ngoro yoga yoga yaiva nebhavhu rayo. Akandomisa ngoro shanu kumaodzanyemba kwemba yacho iyi, akandomisawo dzimwe shanu kuchamhembe kwemba iyoyo, akaisawo zibhavhu ziguruguru riye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemba iyoyo. Hiramu akagadzirawo mapoto nefoshoro namadhishi. Saizvozvo Hiramu uyu akapedza basa rose ramambo Soromoni repamba paTenzi. Akagadzira misimboti miviri nezvinhu zviviri zvaiva zvakafutumara zvapamisoro yemisimboti iyi, kwouya mambure maviri okushongedza pazvinhu zviya zvaiva pamisoro yemisimboti iyi uye zvainge michero yemapomegiraneti mazana mana zvokuisa pamambure aya maviri, mumbure woga woga uine mitsara miviri yemapomegiraneti zvokushongedza pazvinhu zviya zviviri zvakafutumara zvepamisoro pemisimboti, kwouyawo ngoro gumi namabhavhu adzo gumi, kwozouya zibhavhu ziguruguru riye nehandira gumi nembiri dzaiva pasi paro. Mapoto nefoshoro namadhishi, midziyo yose iyi yomumba maTenzi yakagadzirirwa mambo Soromoni naHiramu yakanga iri yendarira yakanyatsokwenenzverwa. Mambo akaforomera izvozvi mubani romuna Jorodhani panzvimbo yomunyakwe iri pakati peSukoti neZaretani. Soromoni haana kuera kurema kwemidziyo iyoyi pamusana pokuti yakanga yakawanda zvikuru kwazvo nezvo hapana akazokwanisa kuwana kuti ndarira yacho yairema zvakadii. Soromoni akagadzira midziyo yose yaive mumba yaTenzi yaiti: atari yendarama, neteburu yendarama yechingwa chokuisa pana Mwari, kwouya zvigadzikiro zvemwenje zvendarama chaiyo yakanakisisa, zvaiti zvishanu kurutivi rwokumaodzanyemba zvimwe zvishanuwo kuchamhembe tisati tapinda munzvimbo inoera yomukatikati, kwouyawo maruva namarambi nembato dzendarama, kwoti makomichi nezvigero namadhishi namabisiro orusenzi namagwati okutapisa moto zvendarama chaiyo yakanakisisa, kwotiwo mahinjisi endarama amagonhi omukatikati memba iyoyi, omunzvimbo inoeresesa uyewo namahinjisi emagonhi emba yacho chaiyo, eTemberi. Sokudaro basa rose rakaitwa namambo Soromoni remba yaTenzi rakapera, Soromoniwo akuya nezvinhu zvababa vake Dhavhidhi zvakanga zvakapirwa kuna Mwari zvaiti sirivha nendarama nemidziyo, akazvirongedza mumatura emba yaTenzi. Soromoni akazokokorodza vakuru vakuru veIsiraeri navakuru vakuru vose vamadzinza avo, vatungamiriri vedzimba dzamadzimambo evanhu vechiIsiraeri, vakaungana kuna mambo Soromoni muJerusaremu kuti vaende kundotakura bhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi, guta reZioni. Saizvozvo varume vose vechiIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamazuva makuru emwedzi waEtanimu, mwedzi wechinomwe. Vakuru vakuru vose veIsiraeri pavakasvika, vapristi vakandotakura bhokisi rechitenderano. Vakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano netendhe rokusanganira nemidziyo yose inoera yaiva mutendhe iroro rokusanganira. Vapristi navaRevhi ndovakauya nazvo. Mambo Soromoni negungano rose ravaIsiraeri vakanga vaungana kwaari vakanga vainaye paiva nebhokisi rechitenderano ipapo, vakapira hwai nemombe zhinji dzisingaverengeki kana kugona kuverengetwa. Vapristi vakazondoisa bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo paro munzvimbo inoera mukamba kwomukatikati kemba iyoyi, munzimbo inoeresesa nechepasi pamapapiro emakerubhu aye. Chaivapo ndechokuti makerubhu iwayo akanga akatambanudza mapapiro pamusoro penzvimbo yebhokisi rechitenderano zvokuti makerubhu iwayo aiva akafugidza bhokisi rechitenderano iri namapango aro okuritakurisa. Mapango aya aiva akareba zvokuti kwokupedzesera kwawo kwaitoonekwawo kunyange nomunhu ari munzvimbo inoera tisati tapinda munzvimbo inoera. Asi akanga asingaonekwe nomunhu ari kunze, achiriko nanhasi uno. Mubhokisi rechitenderano makanga musisina chimwe chinhu kunze kwamafendefa amabwe maviri aye akaiswamo naMosesi kuHorebhu kwakaita Tenzi chitenderano navanhu veIsiraeri pavakapinda munyika yeIjipiti. Vapristi pavakabuda munzvimbo inoera muya gore rakazadza imba yaTenzi zvokuti vapristi vakatadza kuita basa ravo pamusana pegore iri nokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza imba yaTenzi iyi. Soromoni akati, “Kunyange zvazvo Tenzi ariye akaisa zuva kumatenga uku asi Tenzi akazvisarudzira zvake kugara mugore rakati kwirindindi. Iniwo ndakanyatsokuvakirai imba, ino chaiyo, inomukurumbira, musha wokuti imi mugare zvenyu nokusingaperi.” Mambo akazotendeuka akabva akomborera gungano rose reIsiraeri iro gungano reIsiraeri rose rakati ji kumira. Akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wevaIsiraeri akadai kuzadzikisa zvaakatsidzira baba vangu Dhavhadhi achiti, ‘Kubvira pandakaburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti, handina kusarudza guta mumadzinza ose eIsiraeri mokuti muvakwe imba yokuisa zita rangu. Asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsiraeri.’ “Baba vangu Dhavhidhi akanga ainazvo mumwoyo zvokuvakira zita raTenzi, Mwari wavaIsiraeri imba. Asi Tenzi akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Zvokuti mumwoyo mako muve nepfungwa yokuvaka imba yokuisa zita rangu, changa chiri chinhu chakanaka chawanga unacho mumwoyo. Chete, iwewe hausiriwe wokundivakira imba yacho asi kutoti mwana wako mukomana wauchaberekerwa ndiye achavaka imba ichaiswa zita rangu.’ Zvino Tenzi akazadzisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu vaDhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwakaita Tenzi, ndikazovakirawo zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri imba iyi. Ndimo mandati mugare bhokisi raMwari rine chitenderano chaTenzi chaakaita namadzimambo edu paakavaburitsa munyika yeIjipiti.” Soromoni akamira pamberi peatari yaTenzi gungano rose reIsiraeri riripo akasimudzira maoko ake mudenga akanamata achiti, “Imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri, hakuna Mwari akaita semi, kumusoro kudenga kana panyika pasi pano anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena varanda vake vanofamba vakatendeseka kwaari nomoyo wose, semi makachengeta zvamakataurira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi. Makataura imi nomuromo wenyu noruoko rwenyu mukazvizadzisa sezvazviri nhasi uno. Zvino Tenzi, Mwari wavaIsiraeri chengetedzai waro zvamakatsidzira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi zvaakavataurira achiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri. Ndokungewo vana vako vachenjerera mafambiro avo vafambawo mberi kwangu sokufamba mberi kwangu kwawakaitawo iwe. Saka zvino imi Mwari wevaIsiraeri shoko renyu ramakatsidzira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi ngarichiitika.’ “Chaizvo chaizvo Mwari angaite panyika pano kuti pave musha wake nhai! Inga wani denga kana iwo matengatenga haakwane kuti ave musha wake. Ko kutozoti imba iyi yakavakwawo neniwo zvangu. Kunyange zvazvo zvakadaro Tenzi, Mwari wangu rerekerai nzeve dzenyu kumunamato wangu ini muranda wenyu nokuchichemo changu, munzwewo chichemo nomunamato wandiri kuita kwamuri nhasi uno kuti ziso renyu rirambe riri pamba iyoyi siku nesikati panzvimbo iyi yamakati, ‘Ichadaidzwa nezita rangu,’ kuitira kuti mugozonzwawo munamato wangu ini muranda wenyu wandiri kuitira nzvimbo ino. Inzwaiwo chichemo ichi changu ini muranda wenyu nechevanhu venyu vaIsiraeri pavanonamata vakaringira kunzvimbo ino, vanzwei muri kudenga kwamunogara, pamunenge manzwa muvaregerere. “Kana munhu akatadzira mumwe wake, akange anzi apike mhiko, akauya akasvikopika mhiko yake pamberi peatari yenyu mumba muno, pakadaro apo imi teererai muri kudenga ikoko muwane chamungaite nazvo. Muteme zvinowirirana nemhosva yacho, ane mhosva muti apfukirwe nemhosva yake anengewo asina mhosva mudure pachena kuti haana mhosva maererano nokururamawo kwake. “Kana vanhu venyu vaIsiraeri vakakundwa navavengi pamusana pokuti vakakutadzirai vakange vadzokerazve kwamuri, vokuzivaizve zvino nezita, vakanamata vachiisa zvichemo zvavo kwamuri mumba muno, vanzwei kudenga ikoko muregerere vanhu venyu vaIsiraeri chitadzo ichocho, muvadzorere kunyika yamakapa madzitateguru avo. “Kana denga richinge rapfigwa rarega kunaya mvura pamusana pokuti vakakutadzirai, vakanamata vakaringa kunzvimbo ino, vavakukuzivai zvino nezita vakakanda pasi chitadzo chavo, imi manga mambovaonesa nhamo, vanzwei kudenga ikoko, muregerere muranda wenyu, navanhu venyu vaIsiraeri chitadzo chavo, muvadzidzise makwara akanaka okuti vafambe nawo, mupe mvura nyika yenyu yamakapa vanhu venyu senhaka yavo. “Kana munyika ino mukaita nzara kana kuti mukaita denda kana zvikukuve kana chiundudzi, kanawo kukauya mhashu kana rukonye kana kuti vavengi vavo vakavatambudza munyika muno muguta ravo ripi zvaro kunyange nyatwa ipi zvayo kana kukava nechirwere chipi nechipi zvacho, vanhu venyu vose vaIsiraeri kana kuti ani naani zvake anenge aine nhuna dzaari kunzwa mumwoyo make akazotambanudza maoko akaringa kumba ino achiita munamato upi zvawo kana kuisa chichemo chipi nechipi zvacho, munzwei kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara, mumuregerewo muwane chimwe chamungaite nazvo sezvo muchiziva zviri mumwoyo make, mubatsirei zvichienderanawo namaitiro ake (nokuti imi moga ndimi munoziva zviri mumwoyo womunhu) kuitira kuti vagare vachikutyai misi yose yavachagara munyika yamakapa madzitateguru avo. “Pamusana pezita renyu muitewo zvimwechetezvo nomutorwa, wechirudzi kuvanhu venyu vaIsiraeri, mubvakure nokuti vachanzwa nezvezita renyu guru nezvoukuru hwenyu nezvesimba renyu guru, akauya kuzonamata akaringa kumba ino, imi munzweiwo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muitire mutorwa iyeyo zvose zvaanenge akukumbirai kuitira kuti marudzi ose avanhu vapanyika pano vagoziva zita renyu vakutyei sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri uyewo vagoziva kuti imba ino yandavaka yakaiswa zita renyu. “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisa vavengi vavo kwamunenge mati vaende, vakanamata kunemi Tenzi vakaringa kuguta rino ramakasarudza vakaringawo kumba iyi yandakavakira zita renyu, vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo. “Kana vakaita chitadzo kwamuri, sezvo kusina munhu asingapari chitadzo, imi mukavashatirirwa mukavaisa mumaoko avavengi vavo kuti vatapwe vaendwe navo kunyika yavavengi vavo iri kure kana pedyo, kunyange zvazvo zvakadaro vakazviti kunun'unu mumwoyo mavo vari munyika youtapwa imomo vakapinduka voturira chichemo chavo kwamuri vari munyika youtapwa iyoyo vachiti, ‘Takatadza tikaita zvakaipa tikave vasina kururama;’ kana vakapindukira kwamuri nomwoyo wavo wose vachinge vanyatsozvipira kupinduka ivo pachavo vari munyika yavavengi vavo vanyakuvatapa, vakanamata kwamuri vakaringa kuno kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo kuguta ramakasarudza kumba ino yandakavakira zita renyu; vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo muregererewo vanhu venyu vanenge vakutadzirai, muvaregererewo zvikanganiso zvavakakukanganisirai nazvo mupe kuti vanyakuvatapa vacho vavaitire tsiye nyoro, nokuti vanhu venyu, inhaka yenyu iyi, vanhu vamakaburitsa kuIjipiti mukati mevira nomoto wesimbi. Meso enyu atarise misodzi yezvichemo zvomuranda wenyu atarisewo misodzi yezvichemo zvevanhu venyu vaIsiraeri murerekere nzeve dzenyu kwavari pose pavanochema kwamuri nokuti imi Tenzi Mwari makavatsaura mukati memarudzi ose apanyika pano kuti vave nhaka yenyu sokutaura kwamakaita nomuromo waMosesi muranda wenyu pamakaburitsa madzitateguru edu kuIjipiti.” Soromoni paakapedza kunamata munamato uyu wose nokuturira chichemo ichi kuna Tenzi, akasimuka pamberi peatari yaTenzi paakanga akapfugama akasimudzira maoko ake mudenga. Akamira akakomborera gungano rose reIsiraeri nezwi riri pamusoro achiti, “Tenzi ngaarumbidzwe akazorodza vanhu vake vaIsiraeri akaita zvose zvaakatsidza pasina kana chimwe zvacho chisina kuitika pazvinhu zvose zvakanaka zvaakatsidza nomuromo womuranda wake Mosesi. Tenzi, Mwari wedu ngaave nesu sokuva kwaaimbovawo namadzitateguru edu. Dai akarega kutisiya kana kutifuratira aite kuti titorwe mwoyo naye tifambe mumakwara ake tichengete mitemo yake nemirao yake nezvirevo zvake zvaakaudza madzibaba edu kuti zvichengetwe. Dai mazwi angu aya andataura pakuisa chichemo changu kuna Tenzi angoramba waro ari paari iye Tenzi, Mwari wedu siku nesikati uyewo muitire muranda wenyu navanhu vake vaIsiraeri zvavanenge vachichemedzeka nazvo zvavanenge vamuturira pazuvaro kuitira kuti marudzi ose apasi pano azive kuti Tenzi ndiye Mwari, hakuna mumwe. Dai imi nomwoyo wose mangova mukombe nechirongo naTenzi, Mwari wedu mutevedze mirao yake muchengete mitemo yake sezvazviri nhasi uno.” Mambo navaIsiraeri vose vaaiva navo vakazopira zvibayiro kunaTenzi. Soromoni akapira kuna Tenzi mipiro yokuwadzana yemombe zviuru makumi maviri zvine zviuru zviviri uyewo zviuru zvehwai zvaiita zana rina makumi maviri. Saizvozvo mambo navanhu vose veIsiraeri vakateketera imba iyoyi kuna Tenzi. Musi wakarewo mambo akaturira kuna Mwari chimwe chidzengerere chapakati poruvanze pokunge toda kupinda mumba yaTenzi macho. Ndipo paakapirira mupiro wokupisa nomupiro weupfu hwembesanwa namafuta emipiro yokuwadzana. Chakanetsa ndechokuti atari iya yendarira yaiva ipapo paiva naTenzi yakaita diki kuti ipirirwepo mupiro wokupisa nomupiro weupfu hwembesanwa namafuta emipiro yokuwadzana. Naizvozvo, panguva iyoyo, Soromoni nevaIsiraeri vose vaaiva navo gungano guru kwazvo vakaita mabiko okupemberera kwamazuva manomwe ndokuitazve mamwe mazuva manomwe, ose pamwechete akaita mazuva gumi namana vari pana Tenzi, Mwari wedu. Vakanga vari gungano guru kwazvo ravanhu vokubva pokunge tava kuda kusvika kuHamati kusvikira kukakova keIjipiti. Pazuva rechisere mambo akaparadza musasa oonekana navanhu. Vanhu vakarumbidza mambo vakaenda kumisha yavo mwoyo yavo isingagone nokufarira zvinhu zvakanaka zvakanga zvakaitwa naTenzi kune muranda wake Dhavhidhi nokuvanhu vake vaIsiraeri. Soromoni paakapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka, Tenzi akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri sokuzviratidza kwaakamboita kuGibheoni. Tenzi akati kwaari, “Munamato wako wawakaita nechichemo chako chawakasvitsa kwandiri ndazvinzwa. Imba iyi yawakavaka ndaiita kuti ive imba inoera uye ndaisa zita rangu pairi nokusingaperi ziso rangu harichabva pairi, uyewo mwoyo wangu ucharamba uri pairi. Chako iwe dai zvako ukangofamba nemandakatema sezvaiita baba vako Dhavhidhi wakatendeseka uri pachokwadi uchiita naimomo mandakati uite uchichengeta mirao nezvirevo zvangu kana wadaro ndichaita kuti umambo hwako hwokwaIsiraeri hudzike midzi narini wose. Sokutsidzira kwandakaita baba vako Dhavhidhi ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo.’ Asi kana mukazotsauka, zviye zvokunyatsoenda mutome zvenyu, vangave iyemi kana vana venyu morega zvenyu kuchengeta mitemo yangu nemirao yangu yandakakupai mava kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, iniwo ndopandichaparadza vaIsiraeri panyika yandakavapa. Kanawo iyo imba iyoyi yandaeresera nezita rangu ndichaiparadza zvokusamboda kuzoionazve mumaziso angu. Isiraeri inozova tsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose. Kunyangewo imba iyoyi yakati dzu-u kureba, vapfuuri venzira vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa. Vachatozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chakaadariro nyika ino nemba iyi chii?’ Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo akaburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokuti memete navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata. Ndokusaka Tenzi akavapinza munyatwa yose iyi.’ ” Mushure memakore makumi maviri okunge Soromoni avaka dzimba idzi dziri mbiri, imba yaTenzi nomuzinda wamambo, Hiramu mambo weTire awanisa Soromoni zvose zvaaida mapango omusidhari neemusaipurasi nendarama; mambo Soromoni akapa Hiramu maguta makumi maviri mudunhu reGarireya. Asi pakabva Hiramu kuTire achiuya kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni haana kufadzwa nawo. Naizvozvo akati, “Nhai hama yangu maguta awandipa aya maguta erudzii? Ipapo kusvikira pari nhasi dunhu iroro rinonzi Kabhuru.” Hiramu akanga atumira mambo Soromoni ndarama inopfuura zviuru zvina zvemakirogiramu. Iyi ndiyo nhoroondo yebasa rechibharo chakaitwa namambo Soromoni kuitira kuti avake imba yaTenzi nomuzinda wake nechimudhuri chemavhu norusvingo rweJerusaremu, neHazori neMegidho neGezeru. Zvakanga zvaitika kuGezeru ndezvokuti Farao mambo weIjipiti akanga akwirako akarikurira ndokuripisa nemoto akauraya vaKanani vaigaramuguta imomo ndokuripa mukunda wake mudzimai waSoromoni sechipo chokuenda nacho kwaakaroorwa ndokusaka Soromoni akavakazve Gezeru. Akavakawo guta reBhetihoroni rezasi racho neBhaarati neTamari kurenje munyika yokwake uye maguta ake ose amatura namaguta engoro dzake dzehondo dzamabhiza namaguta avachairi vadzo uyewo nezvimwe zvose zvaaida kuvaka muJerusaremu nokuRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. Vanhu vose vasiri vechiIsiraeri vakasara pakati pavaAmoni nevaHiti navaPerezi nevaHivhi nevaJebhusi, zvizukuru zvakazosara zvovapo munyika imomo mushure mavo vasina kukwanisa kutsakatiswa nevaIsiraeri, ivava ava ndivo vakapinzwa naSoromoni muuranda hwechibharo, ndozvavari nanhasi uno. Asi vechiIsiraeri Soromoni haana kuvaita varanda. Ndovaiva varwi vehondo namakurukota ake navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vehondo navakuru vakuru vemungoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo. Ivava ava ndivo makurukota makuru aitungamirira basa raSoromoni iri, vari mazana mashanu ane makumi mashanu avanhu vokuona kuti vanhu vechirudzi ava vari kuita basa racho zvakadii. Soromoni akatozovaka chimudhuri chamavhu chacho, mukunda waFarao atobva kuguta raDhavhidhi akwira kuenda kumba yake yaakanga avakirwa naSoromoni. Soromoni aigaropira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana katatu pagore paatari yaakavakira Tenzi achipirawo rusenzi kuna Tenzi. Ndokupedza kwaakaita kuvaka imba yaTenzi. Mambo Soromoni akagadzira chitsama chengarava kuEzionigebheru pedyo nokuEroti kumahombekombe kwe Gungwadzvuku kunyika yeEdhomu. Hiramu akatumirawo nengarava idzi machinda ake akanga ari vanhu vomugungwa, nyanzvi dzezvokufamba mugungwa kuenda pamwechete namachinda aSoromoni. Vakaenda kuOfiri vakandounza ndarama inorema makirogiramu anopfuura zviuru gumi nezvina. Izvozvi izvi vakauya nazvo kuna mambo Soromoni. Mumwe mukadzi aiva mambo wokuShebha paakanzwa nezvomukurumbira waSoromoni panyaya yezita raTenzi akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma. Akaenda kuJerusaremu akakutwa nezanzwe chairo ravanhu vaine nghamera dzakatakura tunonhuwirira nendarama yakawanda kwazvo namatombo anokosha. Paakasvika kuna Soromoni akamutaurira zvose zvaaifunga mumwoyo make. Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose. Hapana kana nechimwechete chakanga chakavanzika kuna mambo chaakatadza kumutsanangurira. Mukadzi uyu, mambo wokuShebha paakaona ungwaru hwese hwaSoromoni nemba yaakanga avaka, kwoti pateburu apa chokudya chaaidya kwozoti mugariro waiita makurukota ake naiwo munekairiro waiita vashandi vake nomupfekero wacho wavaiva vakaita kwotiwo nevaimuperekera waini kwozoti mipiro yake yokupisa yaaipira kumba kwaTenzi, zvakamushayisa romuromo. Akati kuna mambo, “Zvandakanzwa ndiri kunyika kwangu nezvenyu uye nezvoungwaru hwenyu ndezvechokwadi. Asi ini handina kunge ndazvibvuma kusvikira ndauya ndikatozvionera ndoga nameso angu. Chokwadi kutaurirwa hunyimwa, muto wokupungurirwa haupedzese sadza, zvandakanzwa hazvimbosvika napaduku pose pane ungwaru hwenyu nokupfuma kwenyu. Zvavo vanhu venyu, chokwadi machinda enyu anogara ainemi vachinzwa zvavo ungwaru hwenyu hwakadai! Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wenyu akasarudza zvake kugadza imi umambo hweIsiraeri! Rudo rwaTenzi kuIsiraeri harupere, ndokusaka akakugadzai umambo kuti mutonge zvine ruenzaniso uye zviri pamutsetse kuitwe.” Mukadzi uyu akazopa mambo ndarama yaikwana makirogiramu zviuru zvina, nemikwende yakawanda kwazvo yetunonhuwirira neyematombo anokosha. Hapana kuzombouyazve tunonhuwirira twakawanda saitwotu twakapiwa mambo Soromoni namambokadzi wokuShebha. Chitsama chengarava dziya dzaHiramu dzokundotora ndarama kuOfiri dzakaunzawo mapango mazhinji kwazvo omuti omuarimugu namatombo anokosha. Mambo Soromoni akaita mitandariko yemapango omuarimugu yomumba maTenzi neyomumuzinda wamambo akavezawo zvipendani namadimbwa zvevaimbi. Hapana mapango omuarimugu akadai akazombouya kana kuonekwazve kusvikira pari nhasi. Mambo Soromoni akapa kumukadzi uya, mambo wokuShebha, zvose zvaaida zvaainge akumbira tisingaverengere zvaakanga anopiwa zvake naSoromoni. Iye akakotonoka akadzokera kunyika kwake pamwechete namakurukota ake. Ndarama yaiuyiswa kuna Soromoni pagore, yairema makirogiramu makumi maviri ezviuru ane zviuru zvitatu pasingaverengerwe yemitero yaibvisiswa navamwe vemhindu dzokutengesa navashambadzi namadzimambo okuArabhia nokuvatongi vomumatunhu omunyika make. Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzendarama yakaitwa zvokupfurwa. Nhoo huru imwechete yaiva yendarama makirogiramu ainge oda kuita manomwe. Akaitawo mazana matatu edzimwe nhoo ndiki dzendarama yakaitwa zvokupfurwa. Nhoo diki imwechete yaiva yendarama yairema makirogiramu aida kuita maviri. Mambo akandodzirongedza mumba iya yainzi Imbayesangorerebhanoni. Mambo akagadzirawo chigaro choumambo chomunyanga wenzou akaunamira nendarama yakanakisisa. Kundosvika pachigaro choumambo paiva namadanho matanhatu. Kuseri kwechigaro choumambo ichi kwaiva nomusoro wemombe. Kumativi uku chaiva nepokuisa maoko. Pakavambiranawo nepokuisa maoko paiva neshumba mbiri uku nouku kwechigaro choumambo chacho paine shumba gumi nembiri dzakamira pamadanho aye ose ari matanhatu dzakati imwe uku imwe uku padanho roga roga. Hapana mune imwe nyika makamboitwa zvakadai. Midziyo yose zvayo yokunwira yokwaSoromoni yaiva yendarama. Midziyowo yose yokuImbayesangorerebhanoni yaivawo yendarama chaiyo yakanakisisa pasina yesirivha, sirivha hapana aimboiverengawo sechinhu panguva yaSoromoni pamusana pokuti mambo akanga aine chitsama chengarava dzokuTashishi kugungwa pamwechete nedzaHiramu. Ngarava dzacho dzokuTashishi dzaiunza ndarama nesirivha nemunyanga wenzou netsoko namakudo. Nokudaro mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose apasi pano muupfumi noungwaru. Pasi pose vanhu vaidisa kwazvo kuona Soromoni kuti vanzwe ungwaru hwake hwakanga hwaiswa mumwoyo make. Gore negore vose ivava, munhu wose aiunza chipo chake chechinhu chesirivha kana chamachira kana chendarama kana mura kana chinonhuwirira kana mabhiza namanyurusi. Soromoni akaunganidza ngoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo. Aive nechiuru chimwechete chengoro dzehondo dzamabhiza dzine ngoro mazana mana navachairi vadzo gumi rezviuru rine zviuru zviviri vaakati vave mumaguta engoro dzehondo vamwe vari muJerusaremu namambo. Mambo akaita kuti muJerusaremu imomo sirivha iyi inge matombowo zvawo. Musidhariwo uyu wakanga wava kungewo zvawo mukuyu wokunyika yokumanhika kuwanda. Mabhiza okwaSoromoni aiatora kuIjipiti nokuKue. Vanhu vokwamambo vaiita mhindu dzokutengesa ndovaiatengera kuKue. Kuti munhu atenge ngoro yehondo kuIjipiti, paidiwa mazana matanhatu emari yesirivha yamashekeri, bhizawo richiita zana namakumi mashanu emari yesirivha yamashekeri. Vanhu ivavo vemhindu dzokutengesa vokwamambo ndovaitozondotengeserawo madzimambo evaHiti nemadzimambo okuSiria zvinhu izvozvo. Mambo Soromoni akada vakadzi vakawanda kwazvo vechirudzi, kwaiti mukunda waFarao navakadzi vechiMoabhu nevechiAmoni nevechiEdhomu nevechiSidhoni nevechiHiti. Marudzi iwaya ndiwo akanga afanoyambirwa vaIsiraeri naTenzi achiti, “Hamufaniri kuroorerana navo. Chiripo chaicho ndechokuti vachakukwezverai mwoyo kuna vamwari vavo.” Asi Soromoni ndiye akaramba angoti kwati navo. Aiva navakadzi mazana manomwe vakanga vari vakunda vamadzimambo aivawo navarongo mazana matatu. Vakadzi vake ivava vakamukwezvera mwoyo kusiriiko nokuti Soromoni paakanga zvino akwegura vakadzi vake ivava vakamukwezvera mwoyo kuna vamwari vavo. Akanga asisatevere Tenzi, Mwari wake nomwoyo wose sababa vake Dhavhidhi. Mwoyo waSoromoni wakanga zvino wavavo kune zvokunamata Ashitoreti, mwari wevaSidhoni wechikadzi, nokunamatawo chinhu chinosemesa kwazvo chainzi Mirikomu, mwari wavaAmoni. Ipapo Soromoni akaita zvakaipa pana Tenzi asisatevere Tenzi zvizere sababa vake Dhavhidhi. Soromoni akavakira pane chimwe chikomo kumabvazuva kweJuraseremu nzvimbo yakatunhumara yokuteurira kune chimwe chinhu chinosemesa kwazvo chainzi Kemoshi mwari wevaMoabhu nechimwe chinhu chinosemesa kwazvo chainzi Moreki mwari wevaAmoni. Izvozvi ndozvaakaitira vakadzi vake vose vechirudzi, vaipisira rusenzi vachipira zvibayiro vamwari vavo. Tenzi akashatirirwa Soromoni pamusana pokuti mwoyo wake wakanga zvino wakwezverwa kure naTenzi, Mwari wavaIsiraeri akambozviratidza ruviri rwese kwaari akanga amuudzawo nezvenyaya iyoyi kuti arege kutevera vamwe vamwari. Asi haana kumbochengeta zvakanga zvanzi naTenzi zviitwe. Naizvozvo Tenzi akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti ndozvawava nazvo izvi zvokurega kuchengeta chitenderano changu nemirao yangu yandakati uchengete, zvino ndichabvarura chete umambo hwaunahwo ndigopa rimwe gurukota rako. Asi handisi kuzoita izvozvo munguva yako pamusana pababa vako Dhavhidhi. Asi ndichazohubvarura mumaoko emwanakomana wako. Chete handisi kuzobvarura umambo hwacho hwose. Asi ndichapa dzinza rimwechete kumwanakomana wako pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi uyewo pamusana peguta reJerusaremu randakasarudza.” Tenzi akazomutsira Soromoni mhandu, mumwe muEdhomu ainzi Hadhadhi aiva wechizvarwa chokwamambo weEdhomu. Zvakanga zvaitika ndezvizvi zvokuti Dhavhidhi paaiva kuEdhomu, Joabhu mutungamiriri wehondo uya akaenda kundoviga vamwe vakanga vaurayiwa akauraya varume vose muEdhomu imomo. Chakadariso ndechokuti, Joabhu nevaIsiraeri vose vakagarako mwedzi mitanhatu kusvikira vapedza kuuraya varume vose muEdhomu imomo. Asi Hadhadhi akatizira kuIjipiti nevamwe vaEdhomu vemhuri dzamachinda ababa vake. Izvozvo Hadhadhi akanga achiri mwana mudiki. Rwendo rwavo vakarutangira kuMidhiani vakaenda nokuParani kwavakatora vamwe varume vavakaenda navo kuIjipiti kuna Farao mambo weIjipiti akamupa imba, akati apote achipiwa mugove wake wechokudya akamupawo nyika. Hadhadhi akadiwa chaizvo naFarao zvokuti akamupa mukadzi, munun'una womukadzi wake munun'una wavahosi vamambo, Tahipenesi. Munun'una waTahipenesi uyu akamuberekera mwana mukomana ainzi Gemubhati. Tahipenesi akaita kuti asvike pakutorumurwa achiri mumuzinda maFarao. Gemubhati aitogara zvake mumuzinda waFarao ari pamwechete navanakomana vaFarao. Hadhadhi achiri muIjipiti imomo paakanzwa kuti Dhavhidhi akavata akaendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake uyewo kuti Joabhu mutungamiriri wehondo uya akafa, Hadhadhi uyu akati kuna Farao, “Chiregai zvenyu ndiende kunyika yokwangu.” Asi Farao akamuti, “Chawashaya chii uineni kudai zvawava kutsvaka zvokudzokera kunyika yokwako?” Asi hapana mhinduro yaakamupa aingoti, “Ndiregei ndiende zvangu.” Mwari akamumutsirawo imwe mhandu yainzi Rezoni mwanakomana waEriyadha, akanga atiza kwatenzi wake Hadhadhiezeru mambo weZobha. Akaunganidza varume vaaiva navo akabva ava mutungamiriri wechikwata chokupamba mushure mokunge Dhavhidhi arakatisa kuuraya vanhu. Vakaenda kuDhamasikusi vakagarako vakaita Rezoni mambo muDhamasikusi imomo. Akanga akarimirana kumuganhu neIsiraeri panguva yose yaSoromoni, achiita umhandupandu sezvaingoita Hadhadhi, achivenga Isiraeri kwazvo izvozvo achitonga nyika yeSiria. Jerobhoamu mwanakomana waNebhati wedzinza rokwaEfuremu wokuZeredhi, gurukota raSoromoni ana amai vainzi Zerua aiva chirikadzi akapandukirawo mambo. Nyaya yakamupa kupandukira mambo ndeiyi: Soromoni akavaka chimudhuri chiya chamavhu napamwe pakanga papazika rusvingo rweguta raDhavhidhi baba vake. Jerobhoamu uyu aiva murume chaiye akasvika. Pakaonawo Soromoni kuti jaya irori iri raiva munhu webasa akamuita mukuru mukuru webasa rechibharo rose revemba yokwaJosefi. Panguva iyoyo Jerobhoamu paakabuda muJerusaremu, muporofita Ahiya wokuShiro akamuona panzira. Ipapo Ahiya akanga akapfeka hanzu itsva izvozvo vainge vari voga voga pauviri hwavo musango imomo. Ahiya akabata hanzu itsva yaaiva akapfeka akaibvarura-bvarura muzvipenga gumi nezviviri. Akati kuna Jerobhoamu, “Tora zvako zvipenga gumi izvi nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Zvavapo ndezvizvi, ndava kuzomwaura kuna Soromoni umambo ndichikupa madzinza gumi. Asi iye achangozova nedzinza rimwechete kuri kuitira muranda wangu Dhavhidhi uyewo pamusana peguta reJerusaremu guta randakasarudza mukati memadzinza ose avaIsiraeri. Ndiri kuita izvi pamusana pokuti vakandifuratira vavakundopfugamira zvavo Ashitoreti mwari weSidhoni wechikadzi naKemoshi mwari wevaMoabhu uye Mirikomu mwari wevaAmori vakasiya kufamba mumakwara angu. Zvokuita zvakanaka izvi zvandinoda vakakanda pasi. Zvaiita baba vake Dhavhidhi zvokuchengeta mirao yangu nezvirevo zvangu vakakandawo pasi. Zvakadaro zvazvo handisi kuzomutorera nyika yacho yose, asi ndichaita kuti ave mutongi upenyu hwake hwose, kuitira murunda wangu Dhavhidhi wandakasarudza akachengetawo mirao yangu nemitemo yangu. Asi ndichatorera mumaoko emwanakomana wake umambo hwaanahwo ndigopa kwauri iwe umambo hwemadzinza gumi. Kunyange zvakadaro zvazvo, kumwanakomana wake iyeyo ndichapa dzinza rimwechete kuitira kuti muranda wangu Dhavhidhi awanewo kamoto kanoramboti roi roi mazuva ose pandiri muJerusaremu guta randakasarudzira kuisa zita rangu, ndichitorawo iwe kuti utonge pamadiro ako ose uri mambo wokwaIsiraeri. Kana ukateerera zvose zvandinokuudza, ukafamba nomumakwara angu, uchiita zvinhu zvakanaka kwandiri uchichengeta mirao yangu nemitemo yangu sezvaiita muranda wangu Dhavhidhi, ndichava newe. Ndichaitawo kuti umambo hupinde mumba mako hubatirire sokuvaka kwandakaita imba yaDhavhidhi iwe ndigokupa vokwaIsiraeri. Pamusana paizvozvi ndichambodukupisa zvizvarwa zvokwaDhavhidhi, asi kwete zvokubva zvangogara zvakadaro.’ ” Ipapo Soromoni akatsvaka nzira yokuuraya nayo Jerobhoamu. Asi Jerobhoamu akasimuka akatizira kuIjipiti kuna Shishaki mambo weIjipiti, akagara kuIjipiti ikoko kusvikira rufu rwaSoromoni. Inga dzimwe nyaya dzezvaSoromoni nezvinhu zvose zvaakaita uye nezvoungwaru hwake zvakanyorwa wani muBhuku reMabasa aSoromoni. Nguva yakatonga Soromoni muJerusaremu ari mambo weIsiraeri yose, yaiva makore makumi mana. Soromoni akazovata woendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Mwanakomana wake Rehobhoamu ndiye akazotonga panzvimbo pake. Rehobhoamu akaenda kuShikemu kwakanga kwaunganwa neIsiraeri yose kundomugadza umambo. Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paakazvinzwa, akaramba zvake ari kuIjipiti (sezvo akanga achiri kuIjipiti ikoko kwaakaenda atiza mambo Soromoni). Vakamutumira nhume kundomudaidza. Jerobhoamu uyu negungano rose rokwaIsiraeri vakasvikopira nyaya yavo kuna Rehobhoamu vachiti, “Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema. Zvino dai mukarerutsa basa rababa venyu rakaoma kudai nejoko ravo rinorema ravakaisa patiri tigokushandirai zvedu.” Iye akavati, “Chimboendai mugozodzoka zvenyu kwandiri kwapera mazuva matatu.” Nokudaro vanhu ava vakaenda zvavo. Mambo Rehobhoamu akandobvunza mazano kune vechikuru chikuru vaimbova makurukota kuna Soromoni baba vake pavakanga vachiri vapenyu achiti, “Zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi?” Ivo vakati kwaari, “Zvanhasi uno izvi kana mukabvuma zvenyu kuva muranda wokuvashandira mukavataurirawo zvakanaka pamunovapindura, naivowo vachava varanda kwamuri mazuva ose.” Asi iye akasiya zano raakapiwa nevechikuru chikuru ava akandobvunza mazano kune vechidiki vaakakura navo vakanga vava zvino makurukota ake. Akati kwavari, “Ko zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi vakanditi, ‘Tirerutsireiwo joko rakaiswa nababa venyu patiri.’ ” Vechidiki vaakakura navo ava vakamuti, “Udzai vanhu ivavo vakakutii, ‘Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema dai mukachitirerutsirawo,’ kuti kasiyanwa kangu kakobvu pane chiuno chababa vangu. Zvino baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema handiti, ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vaikurovai neshamhu handiti, ini ndichakurovai netyava ine minzwa yorukato.” Saizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakadzokera kuna Rehobhoamu pazuva retatu racho sokutaura kwakanga kwaita mambo kuti mugozodzoka zvenyu kwandiri kwapera mazuva matatu. Mambo akapindura vanhu ava nehasha achisiya zano raakanga apiwa nevechikuru vaye. Akataura kwavari achitevera zano riye raakapiwa nevechidiki achiti, “Baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema handiti, ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vakakurovai neshamhu handiti, ini ndichakurovai netyava ine minzwa yorukato.” Nokudaro mambo haana kunzwa chichemo chavanhu ivava nokuti maitikiro aya ezvinhu akanga auyiswa naTenzi kuti azadzikise shoko rake raakanga ataura nomuromo waAhija okuShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati. VokwaIsiraeri vose pavakaona kuti mambo haana kuvanzwa, vanhu vakapindura mambo vachiti, “Isu muna Dhavhidhi, mugove wedu ndowei chaizvo? Hatina isu nhaka mumwana waJese. VokwaIsiraeri, kumusha! Iwe Dhavhidhi, zvomumba mako wochizvionera.” VaIsiraeri ndiye shapu kuenda kumisha yavo. Asi vaIsiraeri vaigara mumaguta okwaJudha ndivo vaitongwa naRehobhoamu. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mumwe mukuru mukuru wezvebasa rechibharo. Vose vokwaIsiraeri vakamutema namatombo akabva afa. Mambo Rehobhoamu ndopaakabva ati nokuchimbidza ngoro yake yehondo karakata ndiye kuJerusaremu ware. Saizvozvo vokwaIsiraeri vakapandukira imba yokwaDhavhidhi kusvikira pari nhasi. VokwaIsiraeri vose pavakanzwa kuti Jerobhoamu akadzoka vakamutumira shoko rokuti auye kumusangano vakamugadza umambo hwevokwaIsiraeri vose. Zvokumba yokwaDhavhidhi hapana akanga achazvinzwa kunze kwevedzinza rokwaJudha chete. Rehobhoamu paakasvika kuJerusaremu akaunganidza vose vemba yokwaJudha nevedzinza rokwaBhenjamini. Vakanga vari zana namakumi masere ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo kundorwisa vokwaIsiraeri kuitira kuti vadzorere nyika kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni. Shoko raMwari rakauya kuna Shemaya munhu waMwari, rikati, “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo wokwaJudha nokuimba yose yokwaJudha neyokwaBhenjamini nevamwe vanhu vose zvanzi naTenzi, regai kuenda uye musarwisana nehama dzenyu vanhu vokwaIsiraeri. Munhu wese ngaadzokere kumusha nokuti zvinhu izvi zvakabva kwandiri.” Saizvozvo vakateerera zvakarehwa naTenzi ndokudzokera zvavo voenda sokutaura kwaTenzi. Jerobhoamu akazovaka guta reShikemu munyika yokwaEfuraimu yamakomo akandogaramo. Akazobvapo akandovaka guta rePenueri. Jerobhoamu uyu akazviti nechemumwoyo, “Zvavapo zvino ndezvokuti umambo hwava kuzodzokera kumba yokwaDhavhidhi kana vanhu ava vachienda kundopira zvibayiro muimba yaTenzi kuJerusaremu. Mwoyo yavanhu ava ichapindukira kuna tenzi wavo Rehobhoamu mambo weJudha. Vachandiuraya ava vodzokera kuna Rehobhoamu mambo weJudha.” Mambo akabvunza mazano akabva agadzira zvimhuru zviviri zvendarama, ndokubva azoti kuvanhu “Zvokuramba muchienda kuJerusaremu izvi zvakwana. VaIsiraeri we-e ava ndivo vamwari venyu vakakuburitsai muIjipiti.” Chimwe akandochiisa kuBhetieri chimwe chacho akandochiisa kwaDhani. Ichochi chakave chitadzo nokuti vanhu vakanga vava kutoenda kune chokuBhetieri chiya vachitondosvikawo kunyange nokwaDhani. Akavakawo dzimba panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapa basa roupristi kuvanhuwo zvavo vasiri vemba yokwaRevhi. Jerobhoamu uyu akasarudza zuva guru mumwedzi wechisere musi wechigumi neshanu kutevedzera zuva guru raichengetwa kwaJudha. Akapira zvibayiro paatari. Izvozvi ndozvaakaita kuBhetieri achipira zvibayiro kuzvimhuru zvaakanga aumba. Akaisawo muBhetieri imomo vapristi venzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziye dzaakanga agadzira. Aienda kuatari yaakavaka kuBhetieri pazuva regumi nechishanu racho remwedzi wechisere mumwedzi waakanga angosarudza iye zvomusoro wake. Ndiye zvake akarongera vanhu vokwaIsiraeri zuva. Aipota achikwira ikoko kundopisa rusenzi paatari iyoyo. Ndiye munhu waMwari nepo vhu achibva kwaJudha neshoko raTenzi. Izvozvo Jerobhoamu akanga amire padyo neatari kuti achipisa rusenzi. Murume uyu akadaidzira kuatari iyoyi namazwi aakafemerwa naTenzi achiti, “Atari, iwe atari, zvanzi naTenzi, chinzwa kuchaberekwa mwana mukomana womumba yokwaDhavhidhi ane zita rokuti Josiya. Iyeyo achapira pauri iyewe sezvibayiro vapristi venzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira vachipisa rusenzi pauri. Vachapisa pauri iwe mapfupa avanhu.” Akabva apa chiratidzo musi wakarewo achiti, “Hechinoi chiratidzo chinoratidza kuti Tenzi ndiye azvitaura. Teererai munzwe, atari iyoyi iyi ichakoromorerwa pasi, rota riri pairi iri richakuhumurirwa pasi.” Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvaitaurwa nomunhu waMwari nezveatari yapaBhetieri, akatambanudza ruoko kumunongedza ari paatari ipapo achiti, “Batai munhu uyo.” Ruoko irworwo rwaakatambanudza kunongedza rwakabva rwati papata kuoma zvokuti haana kukwanisa kurugonyesa. Atariwo yakabva yati pasi tsetsemu tsemu tsemu. Rotawo raiva paatari ndiye pasi ririri maererano nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari sokufemerwa kwaaiva aitwa naTenzi. Mambo ndokuti kumunhu waMwari, “Ndateterera ndikumbirireiwo kuna Tenzi, Mwari wenyu mundinamatirewo kuti ndiporeswe ruoko rwangu.” Munhu waMwari akakumbira kuna Tenzi, mambo akaporeswa ruoko rwake ndokubva rwaita sezvarwakanga rwakaita kare. Mambo akati kumunhu waMwari, “Uyai tiende tose kumba muwane chokumboti mudzore mwoyo ini ndigokupaiwo kachipo kangu.” Munhu waMwari akati kuna mambo, “Kunyange zvenyu mukandikamurira napakati zvemba yenyu, handiende nemi uye handisi kuzodya chokudya kanawo kunwa zvako mvura yokuno nokuti ndakanzi neshoko raTenzi ndisadye chokudya kana kunwa mvura kana kudzokera nenzira yandambofamba nayo pakuuya.” Saka akaenda neimwe nzira, akarega kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBhetieri. Zvino kuBhetieri ikoku kwaigara mumwe muporofita wechikuru. Mumwe mwana wake mukomana akauya akamutaurira zvose zvaiva zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBhetieri imomo, shokowo raakanga ataura kuna mambo vakaritaurira baba wavo. Baba wavo vakati kwavari, “Aenda nokupi?” Vana vake vakomana vakamuratidza nzira yaakanga aenda nayo munhu waMwari aibva kwaJudha. Iye akati kuvana vake, “Ndisungirei dhongi.” Vakavasungira dhongi ndokubva vati padhongi riye karakata votevera munhu waMwari uya vakamuwana agere zvake pasi pomuti womuoku. Vakamuti, “Ndimi here munhu waMwari abva kwaJudha?” Iye ndokuti, “Ndini.” Ivo vakamuti, “Handei kumba mumbowana chokuisa mukanwa.” Iye ndokuti, “Handikwanisi kudzokera nemi kana kuenda nemi kunyange kudya chokudya kana kunwa mvura zvayo nemi kuno uku nokuti ndakanzi neshoko raTenzi ndisadye chokudya kana kunwa zvako mvura yeko kana kudzokera nenzira yandakambofamba nayo pakuuya.” Vakamuti, “Ini ndiri muporofitawo semi. Mutumwa anditaurirawo shoko raTenzi achiti, ‘Dzokera naye kumba kwako kuti adye chokudya amwewo mvura,’ ” asi akanga achimunyepera zvake. Nokudaro akadzokera navo akatodya mumba mavo, akatonwawo mvura. Vachingunodya kudaro pateburu shoko raTenzi rakauya kumuporofita uya nyakumudzora akazivisa munhu waMwari uyu aibva kwaJudha kuti, “Zvanzi naTenzi, ‘Pamusana pokuti hauna kuteerera shoko raTenzi ukarega kuchengeta chirevo, nomutemo wawakapiwa naTenzi, Mwari wako, ukadzoka ukatodya zvako chokudya nokunwa zvako mvura yokuno’ kunzvimbo yaakakuti, ‘Rega kudya chokudya kana kunwa mvura, nezvo chitunha chako hachichazovigwa muguva rababa vako.’ ” Kuzoti apedza kudya chokudya nokunwa mvura, akasungira dhongi muporofita waakanga adzora. Iye akaenda ndokubva asangana neshumba panzira ikamuuraya, chitunha chake ndokunzi panzira ipapo rabada. Dhongi neshumba ndokumira zvazvo pedyo nechitunha chacho. Ndokubva vamwe vanhu vaipfuura nepo vaona chitunha chiya chakati rapata munzira. Shumbawo yakati mbikiti zvayo kumira pedyo nechitunha. Vakasvika vakataura izvozvi muguta maigara muporofita wechikuru uya. Muporofita uya, nyakumbomudzora munzira paakazvinzwa akati, “Munhu waMwari uya chete asina kuteerera shoko raTenzi. Naizvozvo ndokusaka Tenzi akamuisa mukanwa meshumba yakamubvambura ikamuuraya sokutaura kwaita Tenzi.” Akati kuvana vake, “Ndisungirei dhongi.” Vakabva vari sunga. Akaenda ndokuwanawo chitunha chakati munzira rapata, dhongi neshumba zvakangotiwo mbikiti zvazvo kumira pedyo nechitunha chacho. Shumba haina kudya chitunha kana kubvambura dhongi. Muporofita uyu akasimudza chitunha chomunhu waMwari ndokuchiisa padhongi odzokera nacho muguta rake iye muporofita wechikuru uya kundomuchema nokumuvigamo. Akaviga chitunha muguva rake iye pachake. Vakamuchema vachiti, “Munun'una wangu maiwe!” Kuzoti amuviga akarongera vana vake kuti, “Kana ndafa ndivigei muguva rakavigwa munhu waMwari. Mapfupa angu muaradzike pedyo namapfupa ake. Chandadariro ndechichi chokuti shoko raTenzi raakazivisa nezveatari iri muBhetieri muno nezvaakareva nezvedzimba dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziri mumaguta eSamaria zvinofanira kutoti zviitike.” Mushure maizvozvi Jerobhoamu haana kukanda pasi uipi hwake. Akadzokera makare mukupa vanhuwo zvavo basa roupristi hwenzvimbo dziya dzakatunhumara dzokuteurira achitoteketerera zvake kuna Mwari munhu wose wose ainge angodawo zvake kuti ave mupristi wenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira. Izvozvi zvakava chitadzo mumba yaJerobhoamu zvokutoiparadza nokutoitsakatisa pasi pano. Panguva iyoyo Abhiya, mwana waJerobhoamu mukomana, akarwara. Jerobhoamu akataurira mukadzi wake kuti, “Dai mukachizvivanziridza kuti vanhu varege kukuzivai kuti ndimi mudzimai waJerobhoamu, musimuke muende kuShiro. Ikoko kuna Ahiya muporofita akafanonditaurira kuti ndichava mambo wavanhu ivava. Muigireiwo gumi rezvingwa notupapata nechirongo chouchi. Iye achakuzivisai zvichazoitika kumwana.” Mudzimai waJerobhoamu akaita saizvozvo ndokusimuka oenda kuShiro akasvikopinda mumusha waAhiya. Izvozvo Ahiya akanga asisakwanisi kuona nokuti maziso ake aiva oonera madzerere nokukwegura kwaakanga aita. Tenzi akanyevera Ahiya achiti, “Chinzwa, mudzimai waJerobhoamu ari kuuya kuzobvunza nezvomwana wake mukomana nokuti ari kurwara. Unomuudza zvokuti nezvokuti. Mukadzi uyu paachapinda muno achazvivanziridza achizviita sokungewo mumwe mukadzi zvake.” Kuzoti Ahiya paakanzwa mutsindo wake achipinda kumusuo akati, “Pindai zvenyu vadzimai vaJerobhoamu. Seiko muchizviita sokunge mumwewo mukadzi asirimi? Nyaya yandanzi ndikunyeverei yakaomarara kwazvo. Endai mundotaurira Jerobhoamu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, pamusana pokuti ndakakukwidziridzaka iwe mukati mavanhu ava ndikakuitaka mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri ndikabvarurawo umambo hwemba yaDhavhidhi ndichipa iwe, zvakadaro zvazvo hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi aichengeta mitemo yangu achinditevera nomwoyo wose achiita zvakarurama chete zvandinoda. Asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vamwe vose vakakutangira. Wakatetereka ukandozvigadzirira vamwe vamwari nezvifananidzo zvakaumbwa noutare kutondishatirisa zvako uchindipa gotsi. Saka zvino, chinzwa, ndichapinza imba yaJerobhoamu munyatwa. Vanhurume vose vokwaJerobhoamu ndichavapedza nokuuraya, vose zvavo vokumba huru kana varanda muIsiraeri muno. Imba yaJerobhoamu ndichanyatsoitsakatisa kuti nho somunhu ari kupisa ndove zvokusara pasisina. Munhu ari wose zvake wokwaJerobhoamu anofira muguta achadyiwa nembwa, nouyowo anofira musango achadyiwa neshiri dzedenga nokuti Tenzi ndiye azvireva.’ “Chisimuka uende zvako kumusha kwako. Paunongoti pindei muguta mukomana iyeyo anobva afa. Isiraeri yose ichamuchema yomuviga nokuti iyeye chete ndiye wokwaJerobhoamu achaiswa muguva pamusana pokuti mumba maJerobhoamu muna iyeyu chete ndimo mune chimwe chinofadza Tenzi, Mwari weIsiraeri. Chimwezve ndechichi chokuti Tenzi achazvimutsira mambo wokutonga Isiraeri achaparadza imba yaJerobhoamu. Zuva racho ndinhasi, kwete kumboti rinhi, izvozvi kutaura kuno. Kubvira ipapo Tenzi acharova Isiraeri sokuzunzwa kunoitwa rutsanga ruri mumvura agotipura Isiraeri munyika ino yakanaka kudai yaakapa kumadzitateguru avo agovamwayanisa kumhiri kwaYufuratesi nokuti vakaita zviAshera zvokunamata vakashatirisa Tenzi. Iyewo acharamwa Isiraeri pamusana pezvitadzo zvakaitwa naJerobhoamu zvaakaitisawo Isiraeri.” Mudzimai waJerobhoamu akasimuka akabva paye akandosvika kuTiriza. Paakangoti pindei munhandare yapamusha uyu mwana ndiye sarai. Isiraeri yose yakamuviga vachimuchema sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo womuranda wake, muporofita Ahiya. Inga dzimwe nyaya dzezvaJerobhoamu dzehondo dzaakarwa nomutongero wake zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzamadzimambo eIsiraeri. Nguva yakatonga Jorobhoamu, makumi maviri amakore ana makore maviri akabva ovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake. Mwanakomana wake Nadhabhu ndiye akazotonga panzvimbo pake. Izvozvo Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni aitongawo kwaJudha. Rehobhoamu akatangisa kutonga ava namakumi mana amakore ane gore rimwechete. Akatonga kwamakore gumi namanomwe ari muJerusaremu guta rakanga rasarudzwa naTenzi mukati memadzinza ose avaIsiraeri kuti zita rake ariise ipapo. Amai vake vainzi Naama vechiAmoni. VokwaJudha vakaitawo zvakaipa zvisingadiwi naTenzi vakamudenha kurwa shanje nezvitadzo zvavo zvavakange voita zvaitodarika zvose zvakamboitwa namadzibaba avo pamusana pokuti vakangawo vazvivakira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira namatombo akamiswa anomiririra vamwe vamwari nezviAshera pachikomo choga choga nomunyasi memiti yose minyoro. Kwakanga zvino kwava navarume vezvoupombwe hwavaiita mukunamata. Vakaita zvose zvinosemesa zvaiitwa namarudzi aye akadzingirwa vaIsiraeri naTenzi. Mugore rechishanu rokutonga kwamambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusaremu akapamba upfumi hwomumba yaTenzi akapambawo upfumi hwomumuzinda wamambo akakukucha zvose. Nhoo dzose dzendarama dzakanga dzagadzirwa naSoromoni akadzitora. Kutsiva idzodzi mambo Rehobhoamu akazogadzirawo nhoo dzendarira akadzipa kuna vakuru vakuru vokuchengetedza pasuo guru repamuzinda wamambo. Nguva dzose paienda mambo kumba yaTenzi vachengetedzi ivavo vaidzipakata vachizodzidzosera mumba yavachengetedzi. Inga dzimwe nyaya dzezvaRehobhoamu nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku raMadzimambo okwaJudha. Hondo yakaramba ichingovapo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu. Rehobhoamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwechete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Amai vake vainzi vaNaama vechiAmoni. Mwanakomana wake Abhiyamu ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore regumi nechisere rokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhiyamu akava mambo wokwaJudha. Akatonga kwamakore matatu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi vaMaaka mwana waAbhisharomu. Akatevera nzira yezvitadzo zvose zvababa vake zvavakaita iye asati avapo, asingatevere Tenzi, Mwari wake nomwoyo wose semwoyo waiva navasekuru vake Dhavhidhi. Asi pamusana paDhavhidhi, Tenzi, Mwari wake akamupa kamoto kanoramba kachibvira muJerusaremu nokumupa mwana mukomana mushure make kuitira kuti Jerusaremu idzike midzi nokuti Dhavhidhi akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi asingambotsauka kune zvose zvaakanga amutemera kuita upenyu hwake hwose kusiya chete panyaya iya yaUriya muHiti. Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAbhiyamu naJerobhoamu. Inga dzimwe nyaya dzezvaAbhiyamu nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Hondowo yakaramba ichingovapo pakati paAbhiyamu naJerobhoamu. Abhiyamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake vakamuviga muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Asa ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore rechimakumi maviri rokutonga kwaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri, Asa akava mambo wokwaJudha. Akatonga kwamakumi mana amakore ane gore rimwechete ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Maaka mwana waAbhisharomu. Asa uyu akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa navasekuru vake Dhavhidhi. Akadzinga munyika iyi varume vezvoupombwe hwaiitwa mukunamata akabvisa zvifananidzo zvokunamata zvose zvakanga zvagadzirwa nababa vake. Akabvisawo amai vake vaMaaka pachinzvimbo chouhosi nokuti vakanga vagadzira chimufananidzo chokunamata chakanyangara kwazvo chokumiririra Ashera mwari wechikadzi. Asa akatema chimufananidzo chavo akachipisa kukakova keKidhironi. Chete akarega nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziripo. Chakanga chiripo chete ndechokuti, Asa aitevera Tenzi nomwoyo wose upenyu hwake hwose. Akaunza zvinhu mumba yaTenzi zvakanga zvateketererwa kuna Mwari nababa vake nezvaakanga ateketerera kuna Mwari iye pachake, zvaiti: sirivha nendarama nemidziyo. Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAsa naBhaasha mambo wokwaIsiraeri upenyu hwavo hwose. Bhaasha mambo wokwaIsiraeri akakwira kundorwisa vokwaJudha akabva avakirira guta reRama kuitira kuti awane marambidziro vanhu kubva kwaAsa mambo wokwaJudha kana kuendako. Asa akatora sirivha yose nendarama yakanga yasiyiwa paupfumi hwemba yaTenzi nehwomumuzinda wamambo akapa makurukota ake. Mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, muzukuru waHezioni, mambo weSiria aigara muDhamasikusi achiti, “Ngatiitei chibvumirano imi neni sezvakanga zvakaita baba venyu nababa vangu. Onai ndakutumira chipo icho chendarama nesirivha. Imi moendawoka muparadze chibvumirano chenyu naBhaasha mambo wokwaIsiraeri kuitira kuti kwangu kuno uku abve.” Bhenihadhadhi akabvumirana namambo Asa akabva atumira vakuru vakuru vehondo yake kundorwisa maguta okwaIsiraeri akakurira Iyoni neDhani neAbherobhetimaaka neKineroti yose nenyika yose yokwaNafutari. Bhaasha paakazvinzwa akabva aregedza kuvakirira Rama akandogara kuTiriza. Mambo Asa akatumira vose vokwaJudha chirevo pasina aisara kuti vatakure mabwe okuRama namapango acho ainge achivakiswa naBhaasha. Mambo Asa akandovaka nazvo Gebha kwaBhenjamini neMizipa. Inga dzimwe nyaya dzezvaAsa nougamba hwake nezvinhu zvose zvaakaita uye maguta aakavaka, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Chaingovapo chete ndechokuti akwegura akaita chirwere chomutsoka. Asa akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta ravasekuru vake VaDhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoshafati ndiye akazotonga panzvimbo pake. Nadhabhu mwanakomana waJerobhoamu akatanga kutonga kwaIsiraeri mugore rechipiri rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha. Akatonga kwaIsiraeri kwamakore maviri. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, akatevera mugwara rababa vake nechitadzo chavo chavakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo. Bhaasha mwanakomana waAhiya wedzinza rokwaIsakari, akamupandukira. Bhaasha akamuuraya kuGibhetoni guta revaFirisitia sezvo Nadhabhu nevokwaIsiraeri vakanga vakakomba Gibhetoni. Nokudaro Bhaasha akamuuraya mugore rechitatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha ndiye akazotonga panzvimbo pake. Paakangova mambo akabva auraya vose vemba yaJerobhoamu. Hapana nomumwechete wemba yaJerobhoamu waakasiya ari mupenyu kusvikira atoiparadza sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo womuranda wake Ahiya wokuShiro. Izvozvi izvi zvakauyiswa nezvitadzo zvakaitwa naJerobhoamu nokupinza kwaakaita vokwaIsiraeri muchitadzo uyewo pamusana pokushatirisa kwaakaita Tenzi, Mwari weIsiraeri. Inga dzimwe nyaya dzezvaNadhabhu nezvinhu zvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri. Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAsa naBhaasha mambo wokwaIsiraeri upenyu hwavo hwose. Mugore rechitatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha Bhaasha mwanakomana waAhiya akatanga kutonga vokwaIsiraeri ari kuTiriza. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mana. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi akatevera mugwara raJerobhoamu nechitadzo chake chaakapinza nacho vokwaIsiraeri mukutadza. Shoko raTenzi rakauya kuna Jehu mwanakomana waHanani rakananga Bhaasha richiti, “Pamusana pokuti chingo chandakukwidziridza ndichikubvisa pasi apa pavhu ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri, iwe wakatotevera zvako gwara raJerobhoamu ukapinza vanhu vangu vaIsiraeri muchitadzo vakandishatirisa nezvitadzo zvavo izvozvo, chinzwa, ndichanyatsotsvaira Bhaasha nevemba yake ndichiita kuti imba yake iite semba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati. Wose wokwaBhaasha anofira muguta achadyiwa nembwa, wokwake anofirawo musango achidyiwawo neshiri dzedenga.” Inga dzimwe nyaya dzezvaBhaasha nezvinhu zvaakaita nougamba hwake zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri. Bhaasha akazovata akaenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa kuTiriza. Mwanakomana wake Era ndiye akazotonga panzvimbo pake. Chakaitisawo kuti shoko raTenzi riuye kumuporofita Jehu rakananga Bhaasha nemba yake kwaiva kutadza kwaakaita kusingadiwi naTenzi achimushatirisa netwaakabata namaoko ake, achitevedzera zvaiitwa nemba yaJerobhoamu uyewo pamusana pokuiparadza kwaakaita. Mugore remakumi maviri nechitanhatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Era mwanakomana waBhaasha akatanga kutonga vokwaIsiraeri ari kuTiriza; akatonga kwamakore maviri. Asi gurukota rake rainzi Zimuri raiva mutungamiriri wechimwe chikamu chechikwata chevengoro dzehondo akamupandukira. Ari kuTiriza ikoko akati zvake achinwira-nwira iwe zvokutoraradza mumba maAriza mukuru mukuru aiona zvomumuzinda muTiriza imomo, Zimuri akapindamo akamurova akamuuraya muri mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha ndokubva ava kutonga panzvimbo pake. Paakatanga kutonga, achangoti garei pachigaro chake choumambo, akauraya vemba yaBhaasha vose zvavo asingamusiyire kana munhurume mumwechete akadai kuhama dzake kana kushamwari dzake. Ikoku ndokuuraya kwakaita Zimuri vose vemba yaBhaasha maererano neshoko raTenzi rakauya nokumuporofita Jehu rakananga Bhaasha pamusana pezvitadzo zvaBhaasha nezvomwana wake zvavakapara zvavakapinzawo nazvo vokwaIsiraeri mukutadza vachishatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri uyewo nezvifananidzo zvokunamata. Inga dzimwe nyaya dzezvaEra nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Zimuri akatonga kwamazuva manomwe ari muTiriza. Izvozvo hondo dzake dzakanga dzakakomba kurwisa guta ravaFirisitia reGibhetoni. Hondo idzi dzakanga dziri mumatendhe iwayo dzakanzwa kuti Zimuri akamukira mambo akamuuraya naizvozvo vokwaIsiraeri vose vakabva vatora Omuri mutungamiriri wehondo vakamugadza umambo hwokwaIsiraeri zuva iroro kumatendhe avo ikoko. Nokudaro Omuri akabva kuGibhetoni vokwaIsiraeri vose vainaye vakandokomba Tiriza vorirwisa. Pakaona Zimuri kuti guta rakurirwa akatizira mumuzinda wamambo. Akapisa imba yamambo nomoto akatsviramo akafa pamusana pezvitadzo zvake zvaakapara zvokuita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevera zvake gwara raJerobhoamu, uyewo pamusana pechitadzo chake chaakaita chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo. Inga dzimwe nyaya dzezvaZimuri nokupanduka kwaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsraeri. Vanhu vokwaIsiraeri vakabva vakamukana kuita mapato maviri. Chimwe chikamu chakatevera Tibhini mwanakomana waGinati kuti vamuite mambo chimwewo chakatevera Omuri. Asi vaitevera Omuri vakakurira vaitevera Tibhini mwana waGinati, Tibhini ndokufa, Omuri ndokubva ava mambo. Mugore ramakumi matatu nechiposhi rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Omuri akatanga kutonga kwaIsiraeri. Akatonga kwamakore gumi namaviri. Makore matanhatu, akatonga ari kuTiriza. Akatenga kuna Shemeru chikomo cheSamaria nezviuru zvitanhatu zvemari yesirivha akavakirira chikomo ichochi norusvingo. Pamusana paShemeru, aimbova muridzi wechikomo ichi, akatumidza guta racho raakavaka zita rokuti Samaria. Omuri akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi zvokuita zvakaipa kupinda vose vakamutangira achitevera makwara ose aJerobhoamu mwana waNebhati nezvitadzo zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri muchitadzo vakashatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri nezvifananidzo zvavo zvokunamata. Inga dzimwe nyaya dzezvaOmuri dzezvinhu zvaakaita nougamba hwaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Omuri akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa muSamaria. Mwanakomana wake Ahabhu ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore ramakumi matatu nechisere rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Ahabhu mwanakomana waOmuri akatanga kutonga kwaIsiraeri. Ahabhu uyu mwana waOmuri akatonga kwaIsiraeri ari muSamaria kwamakumi maviri amakore ana makore maviri. Ahabhu mwana waOmuri akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi kupinda vose vakamutangira. Akaona kutevera gwara raJerobhoamu mwanakomana waNebhati sokunge chinhu chidikidiki, akatoroora zvake Jezebhero mukunda waEtibhaari mambo wevaSidhoni, akatoenda kundonamata Bhaari achimupfugamira. Akavakira Bhaari atari mutemberi yaBhaari yaakanga amuvakira kuSamaria. Ahabhu akagadzira chimufananidzo chinomiririra Ashera, mumwe mwari wechikadzi. Ahabhu uyu akaita zvakawanda zvokushatirisa Tenzi kupinda mamwe madzimambo ose okwaIsiraeri akamutangira. Mumazuva ake Hieri wokuBhetieri akavaka Jeriko. Kuvaka ugaro hwaro akatokuripa norufu rwomwana wake mukomana wedangwe ainzi Abhiramu. Kumisawo misuo mikuru yaro akakuripa negotwe rake rechikomana sokutaura kwakaita Tenzi nomuromo waJoshuwa mwanakomana waNuni. Mumwe mugari wokuTishibhi kuGireadhi anonzi Eriya akati kuna Ahabhu, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu, Mwari weIsiraeri wandinonamata kuti hakuchaita dova kana kunaya zvako makore ano kusatoti ndataura.” Shoko raTenzi rakauya kwaari rikati, “Chibva pano unange kumabvazuva unohwanda kukakova keKeriti kumabvazuva kweJorodhani. Mukakova ikako ndimo mauchanwa mvura. Ndaudza makunguwo kuti apote achikupa chokudya ikoko.” Saizvozvo akaenda akaita sokutaura kwakanga kwaitwa naTenzi. Akandogarawo kukakova keKeriti kari kumabvazuva kwaJorodhani. Makunguwo aimuigira chingwa nenyama kumangwanani, kumauro achimuigirawo chingwa, achinwa mvura mukakova kacho. Kwakati perei chinguva kakova aka kakabva kapwa nokuti munyika umu makanga musisanayi mvura. Shoko raTenzi rakauya kwaari rikati, “Chisimuka uende kuZarefati guta rokuSidhoni ugareko. Ndakaudza imwe chirikadzi ikoko kuti ikupe zvokudya.” Naizvozvo Eriya akasimuka akaenda Zarefati akasvika pasuo guru reguta iri wanei pane chirikadzi ichitsvaka huni. Akadaidzira kwairi achiti, “Ndiigireiwo tumvura mumudziyo ndingonwawo.” Mudzimai uyu paakanga oenda kundoitora, Eriya akadaidzira kwaari achiti, “Mundiigirewo chimedu chechingwa mumaoko.” Mudzimai akati, “NaTenzi chaiye, Mwari wenyu mupenyu hakuna chandati ndabika. Chiriko, katsama bedzi koupfu mumudziyo notumafuta tushomanana muguchu. Chandiri kungoita, kunonga-nonga tukuni utwu kuti ndizondobikira ini nomwana wangu mukomana tidye tichifa zvedu.” Eriya akamuti, “Musatye zvenyu Endai zvenyu muite zvamareva, asi tangai mandigadzirira kachingwa paupfu ihwohwo mundiigirewo kuno mozoti mozvibikirawo imi nomwana wenyu, nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Upfu hwomumudziyo iwoyo hauchambopera uye mafuta omuguchu racho haachambokwengurwa kusvikira musi uchanayiswa mvura naTenzi panyika.’ ” Akaenda akandoita zvakanga zvataurwa naEriya, mudzimai uyu nevemba yake naEriya vakadya kwamazuva mazhinji. Upfu hwomumudziyo muya hauna kumbopera, mafutawo, muguchu muya haana kukwenguka sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo waEriya. Zvakazoitikawo kuti mushure maizvozvi mukomana uya mwana womudzimai uya muridzi wemba, akarwara. Chirwere chake chakakura zvokuti upenyu pakanga pasisina. Mudzimai uyu akati kuna Eriya, “Ko chandakakutadzirai chiiko nhai, munhu waMwari? Heya kuuya kwenyu kwandiri kwaiva kwokuti uipi hwangu huyeukwe nhai nokuurayisa mwana wangu!” Eriya akamuti, “Ndipei kuno mwana wenyu.” Eriya akamutora mumaoko avo ndokumutakura oenda naye kumba yapamusoro maaigara akamuradzika pamubhedha wake chaiwo. Akachema kuna Tenzi achiti, “Nhai Tenzi, Mwari wangu, mungauyise here chokwadi nhamo yakadai kunyange kuchirikadzi yandigere nayo nokuuraya mwanakomana wayo?” Akazvambarara pamusoro pomwana katatu achichema kuna Tenzi achiti, “Nhai Tenzi, Mwari wangu itai waro kuti mweya womwana uyu udzokere maari.” Tenzi akanzwa chichemo chaEriya, mweya womwana wakadzokera mumwana uyu. Nokudaro akava mupenyu pakare. Eriya akatora mwana ndokuburuka naye mumba yapamusoro iya opinda mumba, akamupa kuna amai vake. Eriya ndokuti, “Hoyuka mwana wenyu, ava mupenyu.” Mudzimai uyu ndokuti kuna Eriya “Ndazoziva zvino kuti muri munhu waMwari uyewo kuti shoko raTenzi ramunotaura nomuromo wenyu nderechokwadi.” Shure kwamazuva akawanda, shoko raTenzi rakauya kuna Eriya mava mugore rechitatu richiti, “Chienda uchindozviratidza kuna Ahabhu, ini ndichazonayisa mvura panyika.” Saizvozvowo Eriya akandozviratidza kuna Ahabhu. Nzara yakanga zvino yatsviriridza muSamaria. Ahabhu akadaidza Obhadhiya mukuru mukuru wepamuzinda. Zvino Obhadhiya aiva munhu aitya Tenzi zvikuru kwazvo. Nokudaro Jezebhero paaiuraya vaporofita vaTenzi, Obhadhiya akatora vaporofita zana akavahwandisa mumapako vachiti umu makumi mashanu umu makumi mashanu achipota achivapa chingwa nemvura. Ahabhu akati kuna Obhadhiya, “Wochifamba nenyika ino kumatsime ose nomumapani ose zvimwe tingawane pachine mafuro tikararamisa mabhiza namanyurusi tirege kurasikirwa nezvimwe zvipfuwo.” Pauviri hwavo vakabvawo vapana mativi enyika iyi okundomema. Ahabhu akaenda nokwake ari oga, Obhadhiya akaendawo nokwake ari oga. Vakati zvino Obhadhiya ava munzira, ndiye mahwekwe naEriya, Obhadhiya ndokumuziva ndokubva ati nouso pasi gwadagwa akati, “Ndiwe here chokwadi Eriya changamire?” Akamudaira achiti, “Ndini zvangu. Iwe chienda undotaurira tenzi wako kuti Eriya uya ari pano.” Iye akati, “Chandakatadza chaizvo chii kundiisa zvenyu ini muranda wenyu mumaoko aAhabhu kuti ndiurayiwe? NaTenzi chaiye mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, changamire vangu yavasina kutumira vanhu vokukutsvakai. Kana paine vaiti haako kuno, kwaitoita munhu weko aitopika nemhiko akamiririra rudzi irworwo kuti havana kukuwanai. Zvino imi ndopomonditi, ‘Enda utaurire vatenzi vako kuti Eriya uyu ari pano.’ Pandinongoti ibvei pano pamuri Mweya waTenzi unokutututsirai kumwe kwandisingamboziva zvangu ndinozosara zvangu ndotaurira Ahabhu wokushayai pano, anondiuraya kunyange zvazvo ini muranda wenyu kubvira paudiki hwangu ndanga ndichingova munhu anotya Tenzi. Zvandakaita hamusati mazvinzwa here zvokuti Jezebhero paaiuraya vaporofita vaTenzi ini ndakahwandisa vaporofita zana vaTenzi mumapako, ndichivati umu makumi mashanu, umu makumi mashanu ndichivapa chingwa nemvura? Zvino imi ndopamungati, ‘Enda utaurire vatenzi vako’ kuti, ‘Eriya uya ari pano’ anondiuraya uye.” Eriya ndokuti, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu wehondo nehondo wandinonamata kuti ndichatozviratidza chete kwaari iye nhasi uno.” Ipapo Obhadhiya akandoonana naAhabhu akamutaurira, Ahabhu akandoonanawo naEriya. Ahabhu paakaona Eriya, Ahabhu uyu akati kwaari, “Ndiwe here mutambudzi weIsiraeri?” Eriya akati, “Ini handisirini mutambudzi weIsiraeri, asi kutoti iyemi nevemba yababa venyu nokuti makakanda pasi mitemo yaTenzi mukanamata vana Bhaari. Saka zvino tumai vanhu muunganidze Isiraeri yose kuno kwandiri kuGomo reKarimeri, muunzewoko mazana mana avaporofita vaBhaari uye mazana mana avaporofita vamwari vechikadzi, Ashera vanodya pamwechete naJezebhero patebhuru.” Ahabhu akabvawo atumira nhume kuvanhu vose vokwaIsiraeri akaunganidza vaporofita pamwechete kuGomo reKarimero. Eriya akaenda pedyo navanhu vose akati, “Munoda kusvikira riniko muchingova nemwoyo miviri? Kana Tenzi, ari iye Mwari wenyu muteverei, kana ari Bhaari teverai iyeyo.” Vanhu havana chavakamupindura. Eriya ndokuti kuvanhu ava, “Ini ndini ndoga muprofita waTenzi asara. Asi kune vaporofita vaBhaari mazana mana namakumi mashanu. Ngatipiwei handira mbiri, ivo vazvisarudzire handira imwechete vaicheke-cheke vaiise pamusoro pehuni, asi varege kutungidzapo moto. Iniwo ndichadarowo neimwe handira yacho ndoiisawo pamusoro pehuni ndorega kutungidza moto. Imi mudaidzire nezita kuna mwari wenyu, iniwo ndigodaidzirawo nezita kuna Tenzi. Ipapa Mwari anenge apindura nomoto ndiye Mwari.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Zvamataura zvakanaka.” Eriya akati kuvaporofita vaBhaari, “Chizvisarudzirai handira mutange ndimi kudaro nokuti makawanda, modaidzira nezita kuna mwari wenyu asi musatungidzepo moto.” Vakatora handira yavakanga vapiwa vakaigadzirira vakadaidzira nezita kuna Bhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati vachiti, “Bhaari we-e tidaireiwo!” Asi hapana chakambonzwika kana kuwana akadaira. Vakayavaya kutamba vachitenderera atari yavakanga vavaka. Kuzoti zvino ava masikati zuva rorova nhongonya, Eriya akavaseka zvake achiti, “Zhambai nokuti ndimwari zvimwe mheno zvaari kumbofunga hake kana kuti hameno paangotiwo zvake nzve-e. Zvimwe angadaro akafamba rwendo kana kuti ari akakotsira zvake anenge achifanira kutomutsvaka.” Ivo vakazhambatatawo maererano netsika yavo vakazvicheka-cheka namapakatwa nezvisvo kudzamara ropa royerera nomuviri wavo. Zuva rakarereka vachingopengereka kusvikira panguva yokupira chibayiro asi hapana chakambonzwika kana kuwana akapindura kana akambozviteerera. Eriya akati kuvanhu vose zvavo, “Chiswederai kuno kwandiri.” Vanhu vose vakaswederawo kwaari akabva avakiridza atari yaTenzi yakanga yapunzwa. Eriya akatora matombo gumi namaviri anoenderana namadzinza avanakomana vaJakobho vaya vokunzi neshoko raTenzi, “Zita rako rava kunzi Isiraeri.” Namatombo iwayo akavakira Tenzi atari. Akachera mugero kutenderera atari iyi waiva wakakura zvokutokwana bhagidhi rembesanwa. Akaronga huni akachekacheka handira iyoyo ndokuironga pamusoro pehuni dziya akati, “Zadzai zvirongo zvina nemvura mudire pamupiro wokupisa napahuni.” Akatizve, “Dirai rwechipiri” ndokubva vadirazve rwechipiri. Akati “Itaizve kechitatu. Ndokubva vadirawo rwechitatu.” Mvura yakaerera kutenderera atari yose mugero ukati tuba kuzara nemvura. Kuzoti zvino nguva yokupira chibayiro yasvika muporofita Eriya asvederapo ndokuti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu naIsaki naIsiraeri, ngazvizivike nhasi uno kuti ndimi Mwari muIsiraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu uyewo kuti zvose zvandakaita ndatozviita zvabva mumuromo menyu. Ndipindureiwo Tenzi mundidavire kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi Tenzi ndimi Mwari uyewo kuti ndimi munotendeutsa mwoyo yavo.” Moto waTenzi wakatozomoka ukaroromesa chibayiro chokupisa ichocho, ukaroromesa huni, namatombo nevhu, ukananzva mvura yakanga iri mumugero. Vanhu vose pavakazviona vakati pasi gwadagwa nouso vachiti, “Tenzi ndiye Mwari, Tenzi ndiye Mwari.” Eriya akavati, “Batai vaporofita vaBhaari. Musarege kunyange nomumwe chete wavo achipunyuka.” Vakavabata, Eriya akadzika navo kukakova keKishoni akavaurayira ikoko. Eriya akati kuna Ahabhu, “Chikwirai zvenyu mundodya nokunwa nokuti kune kuwunga kwemvura yomudenga zhinji kwazvo.” Saizvozvowo Ahabhu akakwira zvake kundodya nokunwa, Eriya akakwirawo pamusoro peGomo reKarimero. Akati pasi gwadagwa uso huri pakati pamabvi. Akati kune aimushandira, “Chikwira utarise kugungwa.” Iye akakwira akatarisako akati, “Hakuna chiriko.” Iye akati, “Endako kanomwe.” Kechinomwe kacho akati, “Kuri kuoneka kakore kanenge chanza chomunhu kari kukwira kachibuda mugungwa.” Iye ndokuti, “Chikwira kuna Ahabhu undoti, sungai ngoro dzenyu dzehondo mutodzika zvenyu mungadaro mukadzivirirwa nemvura.” Nenguva shoma shoma matenga akasviba kuti ndo-o namakore nemhepo mvura ikapurana kwazvo kunaya. Ahabhu akati mungoro kata ndokubva aenda kuJezirieri. Simba raTenzi rakava naEriya; akakunya hanzu dzake muchiuno akamhanya ari pamberi paAhabhu kusvikira tava kundopinda muJezirieri. Ahabhu akataurira Izebhero zvose zvakanga zvaitwa naEriya nokuuraya kwaakaita vaporofita vose nebakatwa. Jezebhero ndokubva atumira nhume kuna Eriya achiti, “Chokwadi chaizvo, vamwari ngavandione kana mangwana panguva yakare ino iyi ndikarega kunge ndaita kuti upenyu hwako huite sehwemumwe wavo.” Pamusana pokutyira upenyu hwake akasimuka akatiza akaenda kuBheerishebha kwaJudha akasiya mushandi wake ikoko. Asi iye akafamba rwendo rwomuswere wose wezuva achienda mugwenga. Akasvika akagara zvake munyasi mechigwenzi chomutsvairo achitokumbira kuti dai achisva afa zvake achiti, “Zvakwana zvino izvi Tenzi, chitonditorai zvenyu ndife nokuti chandazovawo nani kumadzibaba angu hapana.” Akabva ati zvake umburu kurara munyasi mechigwenzi chomutsvairo ndiye rororo kukotsira. Mutumwa ndiye pakarepo vhu ndokumuzunza achiti, “Muka udye.” Eriya akatarisa onei kumusoro kwake kune mupotohayi wakabikirwa pamatombo anopisa, kwaivawo neguchu remvura. Akadya akanwira mvura ndokurarazve. Mutumwa waTenzi akauyazve rwechipiri akamuzunza akati, “Muka udye, rwendo urwu rurefu kwauri.” Akamuka akadya akanwira mvura. Nesimba rembuva iyoyo akagona kufamba siku nesikati kwamazuva makumi mana kuHorebhu, gomo raMwari. Ikoko akasvikira mubako ndokumbogaramo. Shoko raTenzi ndokubva rauya kwaari. Akati kwaari, “Uri kuiteiko pano Eriya?” Akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu, vakapunza atari dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara, vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.” Akati, “Buda undomira pagomo apo pana Tenzi.” Tenzi akapfuura nepo, dutu guru remhepo, rine simba rikatsemuranisa makomo rikapwanyanisa matombo pana Tenzi. Asi Tenzi akanga asiri mudutu imomo. Mushure medutu iri kwakave nokundengendeka kwenyika, asi Tenzi akanga asiri mukundengendeka ikoku. Mushure mokundengendeka kwakauya moto, asi Tenzi akanga asiri moto. Mushure memoto kwakanzwika izwi dete raitaura zvinyoronyoro. Eriya paakarinzwa akafugidza uso nehanzu yake akabuda ndokundomira pamusuo pebako. Izwi rikauya kwaari richiti, “Uri kuiteiko pano Eriya?” Iye akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu vakapunzira pasi atari, dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.” Tenzi akamuti, “Chienda udzokere nokurenje reDhamasikusi ukange wasvikako unofanira kuzodza Hazaeri kuti ave mambo weSiria uzodzewo Jehu mwanakomana waNimushi kuti ave mambo wokwaIsiraeri. Unofanirawo kuzodza Erisha mwanakomana waShafati wokuAbheromehora kuti ave muporofita panzvimbo pako. Anenge apunyuka mumapakatwa aHazaeri achaurayiwa naJehu, anopunyukawo bakatwa raJehu achiurayiwawo naErisha. Kunyange zvazvo zvakadaro ndichasiya zviuru zvinomwe zvavanhu muIsiraeri, vose zvavo vane mabvi asina kumbopfugamira Bhaari nomunhu wose ane muromo usina kumbomutsvoda.” Saizvozvo Eriya akabva ipapo akandowana Erisha mwanakomana waShafati achirima aine nzombe dzakabopwa pamajoko gumi namaviri iye ari pane regumi nerechipiri racho. Eriya akapfuura nepaari akapaikira hanzu yake pana Erisha. Erisha akabva asiya nzombe dzacho ndokumhanyira kuna Eriya akati, “Regai ndimbondotsvoda ndichionekana nababa naamai vangu ndigoti ndokuteverai.” Akati kwaari, “Dzokera zvako, ko chii chandaita kwauri?” Akati dzokei kwaakanga achimutevera ndokutora chipani chenzombe dzake mbiri ndokudziuraya ndokubika nyama yadzo joko ririro huni dzokubikisa ndokupa vanhu vakadya ndokusimuka otevera Eriya omushandira. Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake yose akanga ana madzimambo makumi matatu namaviri aine mabhiza nengoro dzehondo. Akakwira kundokomba achirwisa Samaria. Akatumira nhume muguta kuna Ahabhu mambo wokwaIsiraeri achimuti, “Zvanzi naBhenihadhadhi, ‘Sirivha yako nendarama yako ndezvangu. Vakadzi vako vakanakisisa ivavo pamwechete navana ndevangu.’ ” Mambo wokwaIsiraeri akapindurawo achiti, “Hongu sokutaura kwamaita mambo changamire wangu, ini ndiri wenyu nazvose zvandinazvo ndezvenyu.” Nhumwa dzakauyazve dzava kuti, “Zvanzi naBherihadhadhi, ‘Ndakakutumira nhume dzokuti undipe sirivha yako nendarama yako navakadzi vako navana vako.’ Kunyange zvakadaro mangwana panguva yakare ino iyi ndichatumira machinda angu achazotsvaga mumuzinda mako nomudzimba dzamakurukota ako vachikutorera zvinhu zvako zvepamwoyo.” Mambo wokwaIsiraeri akadaidza vakuru vakuru vose venyika iyoyi akati, “Zvino cherechedzaiwo apa muone, muromo ndowaari kutsvaga munhu uyu nokuti akatumira nhume dzokuzonditorera vakadzi vangu navana vangu nesirivha yangu nendarama yangu, ini handina kuramba nazvo.” Vakuru vakuru vose navanhu vose vakamuti, “Regai kuzviteerera kana kuzvibvuma.” Ipapo Ahabhu akati kunhume dzaBhenihadhadhi, “Mondotaurira mambo changamire wangu kuti zvose zviya zvamataura pakutanga ndichazviita. Asi izviwo izvi handizviiti.” Nhumwa idzi dzakabvapo ndokumuigira mhinduro yacho. Bhenihadhadhi akatumirazve nhume kwaari dzichiti, “Chokwadi chaizvo vamwari ngavandione kana ndikasiya muSamaria muchine ivhu rokuti mumwe nomumwe wavanhu vanonditevera awane chanza chizere chevhu.” Mambo wokwaIsiraeri akapindurawo achiti “Mumuudze kuti, ‘Munhu anenge achipfeka hanzu yokuhondo yokuzvidzivirira nayo, ngaarege kuzvitutumadza somunhu abvako ava kutoikatanura.’ ” Bhenihadhadhi paakanzwa mhinduro iyi achingunonwira-nwira zvake namadzishe mudumba, akati kuvarwi vake, “Mirai pamunofanira kuva.” Ivowo ndokundomira pavaifanira kuva kuti vachirwisa guta iri. Mumwe muporofita akabva asvikawo kuna Ahabhu mambo wokwaIsiraeri akati, “Zvanzi naTenzi, ‘Uri kuona here mhomho yavanhu iyi?’ Chinzwa, ndichavaisa mumaoko ako nhasi uno kuti uzvizive kuti ndini Tenzi.” Ahabhu akabva ati “Ndiani achatakudzwa basa iroro?” Iye akati, “Zvanzi naTenzi, ngariitwe nevechidiki vezvikwata zvavatongi vamatunhu.” Iyewo ndokuti, “Ndiani wacho achatanga kurwisa?” Iye akati, “Ndimi imimi.” Ahabhu akaunganidza vechidiki vezvikwata zvavatongi vamatunhu, vaiva mazana maviri avanhu ane vanhu makumi matatu navaviri. Mushure maivava akaunganidza vanhu vose veIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu. Vakaendako masikati zuva richirova nhongonya. Izvozvo Bhenihadhadhi achinwa zvake doro kutoraradza ari kumatendhe, iye namadzimambo aye makuni matatu ana vaviri aimubatsira. Vechidiki vezvikwata zvinotungamirirwa namasadunhu ndivo vakatanga kubuda. Bhenihadhadhi akatuma vanhu vakamutaurira kuti kuna vanhu vari kuuya uku vachibva kuSamaria. Iye akati, “Kana vachinge vavinga zvorugare uyai navo vari vapenyu, kunyange vari vavinga zvehondo uyai navo vari vapenyu.” Saka vechidiki ivava vezvikwata zvinotungamirirwa namasadunhu vakabuda muguta vachiteverwa navarwi vehondo. Mumwe nomumwe akauraya wake. VaSiria ndokuti ware kutiza vaIsiraeriwo ndokudzingirirana navo. Asi Bhenihadhadhi akati kata pabhiza ndokupunyuka navamwewo vatasvi vamabhiza. Mambo wokwaIsiraeri akavabudira akaparadza mabhiza nengoro dzehondo akakatakazha kuuraya vaSiria. Muporofita uya akaenda kuna mambo wokwaIsiraeri akati kwaari, “Chisungai dzisimbe munyatsoona zvimwe zvamungaite nokuti muchirimo, panguva yepfumvudza, mambo wokuSiria uyu achakudzokerai.” Makurukota amambo wokuSiria akakurukurira mambo wavo vachiti, “Vamwari wavo ndavamwari vomumakomo ndokusaka vakaita simba kupinda isu. Asi dai kuri kuti tarwisana navo mubani, hatimborega kuvakurira. Chomoita ndechichi dai mukabvisa mambo oga oga pakutungamirira. Panzvimbo pavo muise vatungamiriri vehondo, mounganidzawo hondo yakangoita seyamakarasikirwa nayo, muchitsivanisa bhiza nebhiza, ngorowo nengoro tondorwisana navo mubani. Pakadaro hatimborega kuvakurira.” Akabvumirana nezvavakataura akaita saizvozvo. Kuzoti chava chirimo, panguva yepfumvudza, Bhenihadhadhi akaunganidza vaSiria akakwira kuApeki kundorwisa vokwaIsiraeri. Vanhu vokwaIsiraeri vakaunganidzwawo vakapiwa mbuva vakaenda kundovarwisa. VokwaIsiraeri vakadzika matendhe avo pakatarisa navo vachinge tumatanga tuviri twembudzi. Asi vaSiria vakazara nyika yose. Munhu waMwari akaenda kuna mambo wokwaIsiraeri akati kwaari, “Zvanzi naTenzi, pamusana pokuti vaSiria vakati, ‘Tenzi ndimwari womumakomo haasiri mwari womumapani, saka naizvozvo ndichaisa gurumwandira irori mumaoko ako kuti uzvizive kuti ndini Tenzi.’ ” Vakapedza mazuva manomwe vari kumatendhe avo vakangotarisana. Pazuva rechinomwe racho vakabva vatanga kurwa. VokwaIsiraeri vakauraya zana rezviuru zvavarwi vetsoka vechiSiria pazuva rimwechete. Vamwe vose vakatizira muguta reAfeki, rusvingo rukawira makumi maviri ezviuru zvavarume zvina varume zviuru zvinomwe vokusara vaya. Bhenihadhadhi akatiza akandopinda mune imwe imba yomukati muguta umu. Makurukota ake akati kwaari, “Zvamunoonaka takanzwa zvichinzi madzimambo okwaIsiraeri madzimambo ane tsitsi. Ngatipfekei mitikisha yamasaga muchiuno netsungare dzetambo mumusoro tondozviturira kuna mambo wokwaIsiraeri angangodaro akakuregai muri vapenyu.” Saizvozvo vakapfeka mitikisha yamasaga muchiuno netsungare dzetambo mumusoro vakaenda kuna mambo wokwaIsiraeri vakati, “Muranda wenyu Bhenihadhadhi ati, ‘Ingondiregaiwo zvenyu ndiri mupenyu.’ ” Iye ndokuti, “Achiri mupenyu here? Ihama yangu uye.” Izvozvo varume ava vakanga vachicherechedza chiratidzo vakachiwana mukutaura kwake vakabva vakurumidza kuchishandisa vakati, “E-e Bhenihadhadhi ihama yenyu?” Iye ndokuti, “Endai muuye naye.” Akamuti akwire mungoro yehondo. Bhenihadhadhi akatiwo kwaari, “Maguta akatorerwa baba venyu nababa vangu ndichaadzosera kwamuri, muite zvenyu zvitoro muDhamasikusi sezvakaita baba vangu muSamaria.” Ahabhu akati, “Nezvatarongerana pano izvi, ndinokuregera zvako uende.” Naizvozvo akaita chibvumirano naye akabva amurega oenda zvake. Mumwe weboka ravaporofita, atumwa naTenzi, akati kune mumwe wake, “Ndirove.” Asi munhu iyeyo akaramba. Iye ndokubva amuti, “Chinzwa, pamusana pokuti waramba kuteerera zvarehwa naTenzi paunongobva chete pandiri pano uchaurayiwa neshumba.” Paakangobva paiva nomunhu uya shumba yakasangana naye ikamuuraya. Muporofita uya akasanganazve nomumwe munhu akati, “Ndapota ndirovewo.” Murume uyu akamurova akamukuvadza. Muporofita uyu akabva ipapo akandomirira mambo panzira akazvivanziridza kuita sokunge mumwewo munhu ane bhandhiji rakasungwa pamusoro pemaziso. Pakanga pava kupfuura mambo akadaidzira kuna mambo achiti, “Ini muranda wenyu ndakapinda mukati mayo hondo ichirwiwa, ndiye onei murwi wehondo auya kwandiri nomunhu akanditi, ‘Chengeta munhu uyu, akangoshayikwa chete upenyu hwake hunotoripwa norufu rwako kana kuti unoripa zviuru zvitatu zvemari yesirivha.’ “Pandakanga ndati batikanei nebasa munhu uye ndopaakandiverera.” Mambo wokwaIsiraeri ndokumuti, “Kutongwa kwako kuchava ndikoko, sokutaura kwawaita.” Akabva akurumidza kubvisa bhandhiji riye pamusoro pamaziso ake pakarepo mambo wokwaIsiraeri akabva amuziva kuti mumwe wavaporofita. Akabva ati kuna mambo, “Zvanzi naTenzi, ‘Pamusana pokuti wakatorega zvako iwe munhu wandakanga ndatemera kuparadzwa akatoenda zvake, naizvozvo kuva mupenyu kwake kuchatoripwa norufu rwako vanhuwo vake vachiripwa noupenyu hwavanhu vako.’ ” Mambo wokwaIsiraeri akaenda kumuzinda kwake atsamwa ashatirwa akasvika kuSamaria. Mushure maizvozvi chakazoitikawo ndechokuti, mumwe murume womuJezirieri ainzi Nabhoti aiva nomunda wemagirepisi muJezirieri imomo wakanga wakaganhurana nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria. Ahabhu akazoti kuna Nabhoti uyu, “Munda wako zvauri pedyo nomuzinda wangu, dai wandipa munda iwoyo ndachiuita munda wangu womuriwo ndigokupa mumwe munda wemagirepisi wakapinda iwoyu kunaka, kana wada ndokupa iri mari yokuutenga.” Asi Nabhoti ndokuti kuna Ahabhu, “Tenzi ngaandibatsire. Hazvingamboitika kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” Ahabhu akapinda mumuzinda make atsamwa ashatirwa pamusana pemhinduro yaakapiwa naNabhoti wokuJezirieri nokuti akanga ati, “Hazvingamboitika kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” Ndokubva andoti pamubhedha wake bhi-i kurara akatarisa rutivi ndokuramwa zvokudya. Asi mukadzi wake Jezebhero akaenda paari akamuti, “Ko kutsamwa kudai zvaita sei? Kubva matoramwa chokudya!” Ahabhu akamupindura achiti, “Ndataura ini naNabhoti uyu womuJezirieri muno. Ndokumuti nditengesere munda wako nemari. Kana kuti ndokupa mumwe munda wemagirepisi kana uchida. Nabhoti anditi, ‘Handikupei munda wangu.’ ” Mudzimai wake Jezebhero akamuti “Muchiri kutonga Isiraeri iyemi? Timukirei zvedu apa mudye zvokudya, mwoyo wenyu usununguke. Ndichakupai ini munda wemagirepisi iwoyo waNabhoti womuJezirieri muno.” Ipapo mukadzi uyu akanyora tsamba muzita raAhabhu ndokudzidhindha nechidhindho chake iye Ahabhu. Akatumira tsamba idzodzo kuvakuru vakuru nokune vokumba huru vakanga vagere kumwechete naNabhoti muguta rokwako. Mutsamba idzodzi akanyora kuti, “Itii vanhu vatsanye muti Nabhoti agare mberi kwevanhu, mugarisewo mamwewo madzenga maviri pakadarowo apo akatarisana naye amupomere mhosva achiti, ‘Nabhoti akashora Mwari akashorawo mambo. Munozobuda naye kunze momutema namabwe afe.’ ” Varume vomuguta rokwake navakuru vakuru nevokumba huru vaigara muguta rokwake iri vakaita sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naJezebhero. Saizvozvowo sokunyorwa kwazvakanga zvakaita mutsamba dzavakatumirwa nomukadzi uyu, vakati vanhu vatsanye vakagarisa Nabhoti mberi kwevanhu. Madzenga maviri aya akapinda akagara akatarisana naye. Madzenga aya akapomera Nabhoti mhosva vanhu vachinzwa achiti, “Nabhoti akashonha Mwari, akashora mambo.” Ndokubva vamuburitsa kunze kweguta vakamutema namabwe akafa. Vakavatumira shoko kuna Jezebhero rokuti, “Nabhoti atemwa namatombo afa.” Jezebhero akati achinzwa kuti Nabhoti akatemwa namabwe akafa, Jezebhero akati kuna Ahabhu, “Chisimukai zvenyu mundotora munda wemagirepisi waNabhoti womuJezirieri muno waakaramba kukupai kukutengeserai nemari.” Ahabhu paakangonzwa kuti Nabhoti afa, akasimuka ndokudzika kumunda uya waNabhoti womuJezirieri imomo kundoukambira. Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti, “Simuka udzike undosangana naAhabhu mambo wokwaIsiraeri ari kuSamaria. Kutaura kuno ari mumunda waNabhoti waaenda kundokambira. Unofanira kumuudza kuti zvanzi naTenzi, ‘Waurayaka munhu iwe ukakambira munda wake?’ Umutaurire kuti zvanzi naTenzi, ‘Panzvimbo iyoyo pananzwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzwawo ropa rako.’ ” Ahabhu akati kuna Eriya, “Heya muvengi wangu wandiwana panoka iwe!” Iye akapindura achiti, “Heeka ndakuwanikidzai, matozvitengesaka izvozvi nokuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Chinzwa, ndava kutoita kuti iwe uwirwe nenhamo ndikutsakatise ndipedze muIsiraeri nokuuraya munhurume wose womumba mako iwe Ahabhu, muranda kana asiri muranda. Imba yako ndichaiita hwemba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati uye hwemba yaBhaasha mwanakomana waAhiya pamusana pokundivirutsa nehasha kwawakaita uyewo nokuparisa kwawakaita Isiraeri chitadzo.” Tenzi akataurawo nezvaJezebhero achiti, “Imbwa dzichadya Jezebhero munharaunda yomuJezirieri muno. Munhu ari wose zvake wokwaAhabhu anofira muguta, achadyiwa nembwa; nouyowo anofira musango, achadyiwa neshiri dzedenga.” Hakuna mumwe munhu akambozvitengesa nokuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi saAhabhu achirunzirwa nomukadzi wake Jezebhero. Akaita zvinosemesa kwazvo zvokuteveredza zvifananidzo zvokunamata sezvaimboitwa nevaAmori vaya vanyakudzingirwa vaIsiraeri naTenzi. Pakanzwa Ahabhu mazwi aya, akabvarura hanzu dzake akapfeka pamuviri masaga ndokutsanya orara zvino akapfeka masaga ongomhemhaira kufamba akati una una kuzvirereka. Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti, “Waonawo here kuzvirereka kwandava kuitirwa naAhabhu? Pamusana pokuzvirereka uku kwaaita kwandiri, nhamo iya handichaiunza pamazuva oupenyu hwake, asi ndichaunza nhamo yacho mumba make pamazuva emwanakomana wake.” Kwakapera makore matatu ose nyika yeSiria neyeIsiraeri dzisina kurwisana. Asi mugore rechitatu racho Jehoshafati mambo wokwaJudha akadzika kuna mambo wokwaIsiraeri. Mambo wokwaIsiraeri akakurukura namakurukota ake achiti, “Zviye munoziva here kuti guta reRamotigireadhi nderedu. Asi isu toramba here takangonyarara tisingaritorere mambo weSiria.” Ahabhu akabva ati kuna Jehoshafati, “Hamungaende here neni kuhondo kundorwisa guta reRamotigireadhi?” Jehoshafati akapindura achiti, “Inga tiri vamwechete wani, vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu uye mabhiza angu anongovawo mabhiza enyu.” Jehoshafati ndokuti kuna mambo wokwaIsiraeri, “Madii kutanga manzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo?” Ipapo mambo wokwaIsiraeri akaunganidza vaporofita vainge voda kusvika mazana mana akavati, “Ndoenda here kundorwisa guta reRamotigireadhi kana kuti ndorega zvangu?” Ivo ndokuti, “Endai zvenyu nokuti Tenzi achariisa mumaoko amambo.” Asi Jehoshafati akati, “Hapana here mumwe muporofita waTenzi watingabvunze?” Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Pachine mumwe murume mumwechete watinganzwe naye kuti Tenzi anoti kudii nazvo. NdiMikaya mwanakomana waImura. Asi ini ndinomuvenga nokuti haamboporofita zvakanaka nezvangu asi zvakaipa chete.” Jehoshafati ndokuti, “Dai mukarega kutaura muchidaro mambo.” Mambo wokwaIsiraeri akadaidza rimwe gurukota ndokuriti, “Kurumidza kuunza pano Mikaya mwanakomana waImura.” Izvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoumambo vakapfeka magemenzi avo oumambo, panhandare pasuo guru rokupinda muSamaria. Izvozvo vaporofita vose vainge vachitoporofita vari pamberi pavo. Zedhekiya mwanakomana waKenaana akazvigadzirira nyanga dzesimbi ndokuti, “Zvanzi naTenzi, ‘Nenyanga idzi uchatunga nadzo vaSiria kusvikira vaparadzwa.’ ” Vaporofita vose ndozvavakaporofitawo izvozvo vachiti, “Kwidzai zvenyu kuguta reRamotigireadhi mundokurira. Tenzi achariisa mumaoko amambo.” Nhumwa yakaenda kundodaidza Mikaya yakamuti, “Chinzwaika, vaporofita vose shoko ravari kutaura rimwechete rokuti zvinhu zvichandonakira mambo uku. Saka imimi dai zvamuchandotaura zvikafananawo nezviri kutaurwa ikoko zvivewo zvakanaka.” Asi Mikaya akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu kuti zvandinenge ndaudzwa naTenzi izvozvo ndozvandichataura.” Paakasvika pana mambo, mambo akamubvunza kuti, “Nhai Mikaya toenda here kundorwisa guta reRamotigireadhi kana kuti torega zvedu?” Iye akapindura achiti, “A endai zvenyuka mundokundaka, Tenzi achariisaka mumaoko amambo.” Mambo ndokumuti, “Unoda kuti ndikupikise kangani kunditaurira chokwadi muzita raTenzi.” Iye ndokuti, “Ndaona Isiraeri yose yaita bararamhanya mumakomo sehwai dzisisina mufudzi. Tenzi akati, ‘Ivava ava, havasisina vanatenzi vavo. Munhu wose ngaadzokere zvake kumusha kwake murugare.’ ” Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndozvandambokuudzai wani kuti haaporofite zvakanaka nezvangu, asi zvakaipa chete.” Mikaya akati, “Chinzwai zviri kutaurwa naTenzi. Ndaona Tenzi agere pachigaro chake choumambo akakutwa negurusvusvu rehondo dzose dzokudenga kurudyi nokuruboshwe. Tenzi ati, ‘Ndiyani angaende zvake akafurira Ahabhu kuti aende kuguta reRamoti kuGireadhi andopararirako?’ Vadomatoma vachitaura twakasiyana-siyana. Ndokubva kwauya mumwe mweya ukamira pana Tenzi ukati, ‘Ini zvangu ndinondomufurira.’ Tenzi akabva auti, ‘Unondomufurira sei?’ Iwo ndokuti, ‘Ndinoenda zvangu ndondova mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita vake vose.’ Iye ndokuti, ‘Enda undomufurira uchazvigona. Chienda uite saizvozvo.’ Naizvozvo chinzwai Tenzi aisa mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita venyu vose. Pamatemerwa naTenzi pakaoma.” Zedhekiya mwanakomana waKenaana akaswedera munyasi maMikaya ndokumudzemura nembama padama akati, “Mweya waTenzi wabva sei mandiri uchiuya kuzotaura kwauri?” Mikaya akati, “Chinzwaka, uchazvionera zvako musi wauchatizira mumba yomukati kundohwanda.” Mambo wokwaIsiraeri ndokuti, “Batai Mikaya uyu mudzokere naye kuna Amoni mutongi weguta rino, kuna Joashi mwanakomana wamambo muti, zvanzi namambo, pfigirai muchinda uyu mujeri mumupe chokudya nemvura zvokudzora mwoyo chete kudzamara ini ndadzokawo zvakanaka.” Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka, Tenzi anenge asina kutaurawo nemandiri.” Ndokubvawo ati, “Zvinzweiwo vanhu mose!” Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakakwidza kuguta reRamotigireadhi. Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichazvivanziridza kuita sokunge mumwewo munhu ndipindewo mukati mokurwa asi imi mopfeka magemenzi enyu oumambo.” Mambo wokwaIsiraeri akazvivanziridza akaita sokunge mumwewo munhu, ndokubva apindawo mukati mehondo. Izvozvo mambo weSiria akanga afanoudza vakuru vakuru makumi matatu ana vaviri vengoro dzehondo kuti, “Regai zvenyu kuzvinetsa kuswerorwisa vakuru vakuru kana vadiki zvavo asi ingonanganai namambo wokwaIsiraeri.” Vakuru vakuru vengoro dzehondo vaya pavakaona Jehoshafati vakati, “Ndiyeyu chete mambo wokwaIsiraeri.” Ndokubva vati naye tande kumurwisa, Jehoshafati ndokubva aridza mhere. Pakaona vakuru vakuru vaye kuti haasiriye mambo wokwaIsiraeri vakabva varega kumudzingirira. Asi mumwe murume akangokandawo museve ukabaya mambo wokwaIsiraeri nechepakati pedemautare rapadundundu rokuzvidzivirira naro, naizvozvo akati kumuchairi wengoro yake yehondo, “Chitendeuka unditakurire kunze hwehondo. Ndakuvadzwa ini!” Hondo yakatsviriridza musi iwoyo, mambo ndokuramba akatsigirirwa ari mungoro yake yehondo akatarisa kuvaSiria kusvikira kumanheru ndokubva afa. Ropa reronda iri rakayererera pasi mungoro yehondo imomo. Kuzoti zuva rodoka kwakadaidzirwa muhondo imomo zvichinzi, “Munhu wose ngaazive kuguta rokwake, munhu wose kunyika kwake.” Saizvozvo mambo akafa akaendwa naye kuSamaria vakaviga mambo muSamaria. Vakasukira ngoro yacho yehondo pane rimwe dziva romuSamaria, imbwa dzikananzva zvadzo ropa rake, pfambi dzikazvishambidza zvadzo imomo maererano neshoko raTenzi raakanga afanotaura. Inga dzimwe nyaya dzezvaAhabhu nezvinhu zvose zvaakaita nemba yomunyanga wenzou yaakavaka namaguta ose aakavaka, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Naizvozvo Ahabhu akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, Ahaziya mwanakomana wake ndiye akazotonga panzvimbo pake. Jehoshafati mwanakomana waAsa akatangisa kutonga kwaJudha mugore rechina rokutonga kwaAhabhu mambo wokwaIsiraeri. Jehoshafati akanga ava namakore makumi matatu namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore makumi maviri namashanu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi. Jehoshafati uyu akatevera makwara ose ababa vake Asa asingambotsaukamo achiita zvakarurama zvinodiwa naTenzi. Zvakadaro zvazvo nzvimbo dziye dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa, vanhu vakaramba vachingopira zvibayiro nokupisawo rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira. Pakati paJehoshafati namambo wokwaIsiraeri paiva norunyararo. Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoshafati nougamba hwake hwaaiita nokurwa hondo kwaaiita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Mhombwe dzaiita basa radzo irori mune zvokunamata dzakanga dzasaririra panguva yababa vake Asa akadzipedza kuuraya munyika. Izvozvo kuEdhomu kwaiva kusina mambo kuchingova nomumiririri. Jehoshafati akagadzira ngarava dzokuTarishishi dzokuenda nadzo kundotora ndarama kuOfiri. Asi havana kuzoendako nokuti ngarava dzakapararira kuEzionigebheru. Ahaziya mwanakomana waAhabhu ndokuti kuna Jehoshafati, “Regai zvenyu machinda angu aende namachinda enyu mungarava idzi,” asi Jehoshafati haana kuda. Jehoshafati akazovata oendawo kwakenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa pakavigwa madzibaba ake muguta ratateguru wake Dhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoramu akazotonga panzvimbo pake. Ahaziya mwanakomana waAhabhu akatanga kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria mugore regumi nechinomwe rokutonga kwaJehoshafati mambo wokwaJudha. Akatonga kwaIsiraeri kwamakore maviri. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi akafamba mugwara rababa vake uye mugwara raamai vake uyewo mugwara raJerobhoamu mwanakomana waNebhati akaparisa Isiraeri chitadzo. Ainamata Bhaari achimupfugamira akashatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri nezvinhu zvose zvaiitwa nababa vake. Mushure morufu rwaAhabhu, Moabhu yakapandukira Isiraeri. Zvino Ahaziya akadonha pamba yake yepamusoro muSamaria napaiva namapango akarukaniswa akaitwa zvokupiyaniswa akabva arwara, nezvo akatuma nhume akadziti, “Endai mundibvunzirewo kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi ndizive kuti ndichapora here paurwere uhu.” Asi mutumwa waTenzi akati kuna Eriya wokuTishibhi, “Simuka ukwidze kundosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Zvareva kuti muIsiraeri hamusisina Mwari here zvomoenda kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi?’ Saka naizvozvo zvanzi naTenzi, ‘Hausi kuzoburuka pamubhedha pacho pawava uchatofa chete.’ ” Eriya ndokuenda zvake. Nhume dzakadzokera kuna mambo, iye ndokuti kwadziri, “Ko madzokerei?” Ivo vakati kwaari, “Kwauya mumwe murume asangana nesu akatiti, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mumuti,’ zvanzi naTenzi, ‘Zvareva kuti muIsiraeri hamusisina Mwari here zvomoenda kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi? Naizvozvo hausi kuzoburuka pamubhedha pacho pawava, unotofa chete.’ ” Iye akavati, “Ko anga ari murume akaita sei asangana nemi akakutaurirai izvozvi?” Ivo vakamupindura vachiti, “Anga akapfeka nguo dzine mvere nebhande reganda muchiuno.” Mambo ndokuti, “NdiEriya chete wokuTishibhi.” Mambo akabva atuma kwaari mutungamiriri wechikwata chamakumi mashanu avarwi aine varwi vake vacho makumi mashanu. Akakwira kuna Eriya akanga agere pamusoro pechikomo akati kwaari, “Iwe munhu waMwari mambo ati, ‘Buruka apo.’ ” Asi Eriya akapindura mutungamiri uyu wechikwata chamakumi mashanu avarwi achiti, “Kana ini ndiri munhu waMwari moto ngautozomoke kudenga uparadze iyewe namakumi mashanu ako.” Moto ndokutozomoka kudenga ndokumuroromesa iye namakumi mashanu ake. Mambo akatumazve kwaari mumwe mutungamiriri wechikwata chamakumi mashanu avarwi aine varwiwo vake vacho makumi mashanu. Uyu akandomutaurira achiti, “Iwe munhu waMwari iwe, zvanzi namambo, ‘Buruka nokukurumidza.’ ” Asi Eriya akavapindura achiti, “Kana ini ndiri munhu waMwari, moto ngautozomoke kudenga uparadze iyewe namakumi mashanu ako.” Moto waMwari wakatozomoka kudenga ndokumuroromesa iye namakumi mashanu ake. Mambo akatuma zvakare kwaari mumwe mutungamiriri wechitatu namakumi akewo mashanu. Mutungamiriri wechitatu uyu wechikwata chamamwewo makumi mashanu akakwira akasvikopfugama mberi kwaEriya akamuteterera achiti kwaari, “Ndapota munhu waMwari, ndiri kukumbirawo kuti mubatewo upenyu hwangu noupenyu hwavaranda venyu ava makumi mashanu sechinhu chine maturo kwamuri. Hezvi moto wakatozomoka kudenga ukaroromesa vatungamiriri vaye vaviri vezvikwata zvavarwi zvaiva makumi mashanu makumi mashanu pamwechete navanhu vavo, zvino ingobataiwo waro upenyu hwangu sechinhu china maturo kwamuri.” Mutumwa waTenzi ndokubva ati kuna Eriya, “Dzika zvako naye, usamutye.” Saizvozvo akasimuka akadzika naye kuna mambo akati kuna mambo, “Zvanzi naTenzi, ‘Wakatumaka iwe nhume kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi, zvinoreva here kuti muIsiraeri muno hamusisina Mwari wokunzwa kuti anoti kudii nazvo? Naizvozvo hausi kuzoburuka pamubhedha pacho pawava, uchatopafa chete.’ ” Saizvozvo akafa sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo waEriya, munun'una wake Jehoramu ndiye akava mambo panzvimbo pake sezvo Ahaziya uyu akanga asina mwana mukomana. Izvozvo makanga muri mugore rechipiri rokutongawo kwaJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo wokwaJudha. Inga dzimwe nyaya dzezvaAhaziya dzezvaakaita dzakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo raMadzimambo okwaIsiraeri. Kuzoti zvino Tenzi oda kukwidza Eriya kudenga nechinyamupupuri, Eriya naErisha vakanga vari murwendo rwokubva kuGirigari. Eriya akati kuna Erisha, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuBhetieri uko.” Asi Erisha akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai hazvimboitika kuti ndikusiyei.” Nokudaro vakadzika kuBhetieri. Vaporofita vaiva kuBhetieri vakauya kuna Erisha vakati kwaari, “Muri kuzviziva here kuti Tenzi achakutorerai tenzi wenyu nhasi uno?” Iye akati, “E-e ndiri kuzviziva zvangu. Dai mukanyarara zvenyu.” Eriya akamutizve, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuJeriko.” Asi iye akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai, kukusiyai hazvimboitiki.” Vakabva vaenda kuJeriko. Vaporofita vaiva muJeriko vakauya kuna Erisha vakati kwaari, “Muri kuzviziva here kuti Tenzi achakutorerai tenzi wenyu nhasi?” Iye akati, “E-e ndiri kuzviziva zvangu. Dai mukanyarara zvenyu.” Eriya akabva amuti, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuna Jorodhani.” Asi iye akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai, kukusiyai hazvimboitiki.” Nokudaro vakaenda vari vose pauviri hwavo. Kwakaendawo makumi mashanu eveboka avaporofita vakamira vari chinhambwe navo ivo vakamirawo pamahombekombe aJorodhani. Eriya akatora hanzu yake ndokuimona ndokurova pamvura nayo. Mvura yakabva yakamukana zvokuti imwe uku imwe uku, vose vari vaviri vakayambuka vachitsika pasi pakaoma. Kuzoti vayambuka Eriya akati kuna Erisha, “Nditaurire chaungade kuti ndikuitire ndisati ndatorwa kubva kwauri.” Erisha akati, “Ndapota zvangu dai mukangondisiirawo senhaka mweya wenyu uine simba rakapetwa kaviri.” Iye ndokuti, “Chawakumbira ichi chinhu chakaoma. Zvisinei zvazvo kutorwa kwandichaitwa kana ndikatorwa uchiona zvichaitwa saizvozvo kwauri, asi kana ndikatorwa usiri kuona hazvizoitika saizvozvo.” Pavakanga vachifamba vachitaura kudaro, ngoro yehondo yomoto namabhiza omoto ndiye vhu vakabva vaparadzaniswa vose vari vaviri. Eriya ndokubva atututswa nechinyamupupuri kuenda kudenga. Erisha akazviona ndokudaidzira achiti, “Baba wangu, baba wangu! Ngoro dzemabhiza dzehondo dzeIsiraeri navachairi vadzo!” Erisha haana kuzomuonazve. Erisha akabata hanzu dzake pachake ndokubva adzibvarura napakati. Akanonga hanzu yakanga yadonhedzwa naEriya ndokudzoka ondomira pamahombekombe aJorodhani. Akatora hanzu yakanga yadonhedzwa naEriya iya ndokurova nayo mvura achiti, “Tenzi, Mwari waEriya aripi?” Paakarova mvura iyi, mvura yacho yakabva yakamukana zvokuti imwe uku imwe uku, ndokubva Erisha ayambuka. Zvino vechikwata chavaporofita vaiva paJeriko vaimuona vari mhiri vakati, “Mweya waEriya wava pana Erisha.” Vakaenda kundochingurana naye vakamugwadamira. Vakati kwaari, “Onaika, isu varanda venyu tine makumi mashanu avanahu, dai mukarega zvenyu vaende kundotsvaga tenzi wenyu, dzimwe nguva Mweya waTenzi wamusimudza ukasiya wamukanda pamusoro pegomo kana mumupata.” Akati, “Regai zvenyu kuvatuma.” Asi pavakaramba vachigombedzera akazoti, “Vatumei zvenyu.” Saizvozvo vakatumira makumi mashanu avarume. Vakamutsvaga kwamazuva matatu, asi havana kumuwana. Vakaenda kuna Erisha kuJeriko kwaakanga amboti zvake mire mirei ariko, akati kwavari, “Handina kukuudzai here kuti regai kuenda?” Vanhu veguta iroro vakati kuna Erisha, “Changamire, sezvamunongoonawo, guta redu iri rakavakirwa pakanaka kwazvo asi chakaipa imvura yacho, uye ivhu racho harina charinopa.” Erisha akati, “Ndiunzirei kuno ndiro itsva muise munyu mairi.” Saka vakaenda nayo kwaari. Akaenda kuchisipiti chemvura yacho ndokudira munyu mairi achiti, “Zvanzi naTenzi ndarapa mvura iyi. Kubvira zvino, hapana rufu kana kushaika kwezvinoberekwa kuchazobva mairi.” Mvura iyoyo yakabva yarapwa kusvikira pari nhasi, maererano nezvakataurwa naErisha. Erisha akabvapo okwidza kuenda kuBhetieri. Paakanga ari munzira kuendako, vakomana vadikidiki vakabuda muguta vakamusveeredza vachiti, “Tibvire pano nyamhanza! Tibvire pano nyamhanza!” Akatendeuka, paakavaona akarengerera rushambwa nezita raTenzi. Mapere maviri makadzi akabuda musango akabvambura-bvambura makumi mana navaviri avakomana ivavo. Abva ipapo akaenda kugomo reKarimero, ndokubva azodzokera kuSamaria. Mugore regumi nechisere rokutonga kwaJehoshafati mambo wokwaJudha Jehoramu mwanakomana waAhabhu akava mambo kuSamaria. Akatonga kwamakore gumi namaviri. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, chete hazvina kunge zvakaipa sezvababa naamai vake nokuti akabvisa dombo raimiririra Bhaari rakanga rakavezwa nababa vake. Asi akazongoramba ongoti kwatiwo nechitadzo chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati chaakanga apinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo, haana kuchikanda pasi. Izvozvo Mesha mambo weMoabhu aipfuya hwai. Zvino aifanira kuendesa kuna mambo wokwaIsiraeri zviuru zvinokwana zana zvehwayana newuru yaiveurwa pahondohwe zviuru zana. Asi mambo weMoabhu pakangofa Ahabhu, akabva apandukira mambo wekwaIsiraeri. Mambo Jehoramu akabva abuda muSamaria panguva iyoyo akaunganidza vokwaIsiraeri vose. Akandotumira shoko kuna Jehoshafati mambo wokwaJudha rokuti, “Kuno uku mambo weMoabhu akandipandukira. Hamungaendewo here neni kuhondo kundorwisa Moabhu?” Iye akati, “Handei zvedu. Inga tiri vamwechete wani, vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu uye mabhiza angu, mabhiza enyu.” Akatiwo, “Toenda nokupi?” Jehoramu ndokuti, “Nokugwenga rokuEdhomu.” Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri akaenda namambo wokwaJudha namambo weEdhomu. Kuzoti vapotereka kwamazuva manomwe hondo yavarwi nezvipfuwo zvayaitinhana nazvo yakashaya mvura. Mambo wokwaIsiraeri ndokuti, “O babawe kani! Tenzi aunganidza madzimambo matatu aya kuzoaisa mumaoko eMoabhu nhai.” Jehoshafati akabva ati, “Ko kuno uku hakuna here muporofita waTenzi watinganzwe kuti Tenzi anoti kudii nazvo?” Rimwe jinda ramambo wokwaIsiraeri rakapindura richiti, “Kuno uku kuna Erisha mwanakomana waShafati aiva wokuchingidza Eriya mvura.” Jehoshafati ndokubva ati, “Iyeyo ndiye munhu wacho ane dama raTenzi.” Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati namambo weEdhomu vakadzika ikoko kwaari. Erisha akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Ndinei newe iwe! Endaka kuvaporofita vokwababa vako nokuvaporofita vokwaamai vako.” Mambo wokwaIsiraeri ndokupindura achiti kwaari, “A-a hapana kani! Chatauyisirwa kuno naTenzi iyesu madzimambo matatu kuti tiiswe mumaoko eMoabhu chete!” Erisha akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu ane gurusvusvu rehondo wandinonamata kuti dai, kusiri kuti ndatonyara zvangu mambo wokwaJudha uyu Jehoshafati, ndingadai ndatorega zvangu kukucheuka kana kukutarisa zvako. Chindiunziraiwo pano munhu wokuridza chipendani.” Munhu wechipendani wacho paaichiridza kudaro simba raTenzi rakauya pana Erisha. Erisha akati, “Zvanzi naTenzi, ‘Ndichaita kuti kakova aka kakati papata kuoma kudai kati pamupamu kuzara namadziva emvura.’ Nokuti zvanzi naTenzi, ‘Mvura yokunaya kana mhepo hamusi kuzozviona asi kakova ikaka kachati pamupamu kuzara nemvura zvokuti munwe imi nemombe dzenyu nezvipfuwo zvenyu.’ Asi kanhu kadiki kwazvo pana Tenzi. Achaisawo vanhu veMoabhu mumaoko enyu mugokurira guta rimwe nerimwe rakavakirirwa norusvingo neguta rose rose ravo repamwoyo, muti wose zvawo wakanaka muchirizha, matsime ose emvura muchifushira, ndimo dzose mudzitutire matombo.” Ramangwana acho mangwanani, panguva yokupira chibayiro, heino mvura ikati youya ichiyerera nokuEdhomu kusvikira nyika yose iyoyo yachiti fasha nemvura. VaMoabhu vose pavakanzwa kuti madzimambo iwayo akanga akwira ikoko kuzovarwisa, vakakokorodza wose aigona kupfeka chidemautare kubvira kuvadukuduku kusvikira kuvakuru vakavaronganisa kumuganhu wenyika iyoyo. Pavakafumomuka mangwanani acho zuva rakavheneka pamvura paya, vaMoabhu vakatarisa kumvura iyi iri pakatarisana napavaiva onei yakati piriviri kutsvuka seropa vakati, “Inga iropa iro. Madzimambo aye arwisana chete akaurayana. Saka zvino vaMoabhu we-e, handei kundopamba zvinhu!” Asi pavakasvika kumatendhe eIsiraeri, vaIsiraeri vakamuka vakarwisa vaMoabhu kusvikira vavatiza. Vakabva vati navo navo vachirakatisa kuuraya vaMoabhu mukudzingirirana navo ikoku. Vakakurira maguta acho. Pandimo yose zvayo munhu wose akakandapo dombo, pakasara pati ware ware nawo, vakafushira matsime ose vakarizha miti yose yakanaka kusvikira matombo eko angosara kuguta reKirihareseti. Varwi vokurwisa nezvimviriri vakarikomberana vakarikurira. Pakaona mambo weMoabhu kuti hondo yamuipira akatorana namazana manomwe avarwi vemapakatwa woda kupukunyuka nepana mambo weEdhomu asi havana kuzvigona. Ndopaakazobata mwana wake mukomana akanga ariye wokuzotonga pachinzvimbo pake akamupira parusvingo sechibayiro chokupisa. Izvozvi zvakashayisa kwazvo vaIsiraeri romuromo vakabva vamurega vakadzokera kunyika kwavo. Mumwe mudzimai womumwe wavaporofita akachema kuna Erisha achiti, “Ini muranda wenyu murume wangu akafa. Sezvamunongoziva wani muranda wenyu iyeyo aiva munhu anotya Tenzi. Asi zvinoka mumwe munhu waakanga ane chikwereti naye auya kuzotora vana vangu vakomana vaviri kuti vave varanda vake.” Erisha akamuti, “Chiiko chandingakuitirei? Dondiudzaiwo, ko kumba munei chamuchinacho?” Mudzimai uyu akati, “Ini muranda wenyu kumba uku handisisina chokubata, changosara chete kaguchu kamafuta.” Ndokubva ati, “Potererai muchikumbira vamakavakidzana navo vose midziyo, midziyo isina chinhu irege kuva mishomanana. Mozopinda mumba mozvipfigira musuo murimo iyemi navanakomana venyu moadururira mumidziyo yacho yose. Mudziyo unenge wazara uisei parutivi.” Saizvozvo mudzimai uyu akabva pana Erisha akandozvipfigira mumba iye navanakomana vake. Iye aiadururiramo vana vake vachimutambidza midziyo. Kuzoti midziyo yacho yazara akati kumwana wake, “Nditambidzewo mumwe mudziyo.” Mwana akati, “Hapasisina mumwe.” Mafuta aye ndiye gwa kubuda. Mudzimai uyu akaenda akandoudza munhu waMwari iye akabva ati, “Chiendai mutengese mafuta iwayo muripe zvikwereti zvenyu, imi navanakomana venyu munozoraramiswa nezvinenge zvasara.” Rimwe zuva Erisha akapfuura nokuShunemu kwaigara mumwe mukadzi aiva mupfumi. Mudzimai iyeyu akamunyengetedza kuti ambowana chimwe chokuisa mukanwa. Saizvozvo Erisha pose paaipfuura neko aitsaukirapo kundodya zvokudya. Akati kumurume wake, “Zvamunoona, ndiri kuona kuti munhu uyu munhu mutsvene waMwari ari kuramba achingopfuura zvake nepano. Ngatigadzirei kamba kaduku kane chengowo chako padenga remba apa tigomuisiramo mubhedha neteburu nechigaro nerambi kuitira kuti pose paanenge atishanyira awanewo pokugara.” Rimwe zuva Erisha akasvika nepo akabva atsaukira mumba iyoyi ozorora zvake. Akati kumushandi wake ainzi Gehazi, “Daidza muShunemu uyu.” Paakamudaidza mudzimai uyu akasvikomira pana Erisha. Erisha akati kuna Gehazi, “Iti kuna mai ava, chionaika imi makazvitakudza mutoro unorema kudai muchiitiresu, zvino chii chamungaitirwewo imi? Hamuna here nyaya yamunoda kusvitsirwa kuna mambo kana kuti kumutungamiriri wehondo?” Mai ava ndokuti, “Ini ndakanyatsogara zvangu navanhu vokwangu ava.” Erisha akati, “Zvino chii chaicho chaangaitirwe?” Gehazi akabva ati, “Chiripo apa ndechichi chokuti, mai ava havana mwana mukomana uye murume wavo akwegura.” Iye akati, “Vadaidze.” Paakadaidza mai ava, vakasvikomira pamusuo. Erisha ndokuti kwavari, “Pamwaka iwo uno uyu, gore rinouya muchava nomwana mukomana pamaoko.” Ivo vakati, “Aiwaka changamire! Nhaimi munhu waMwari, dai marega zvenyu kunditaurira nhema dzakadai ini muranda wenyu.” Asi mudzimai uyu akazova napamuviri, akasununguka mwana mukomana panguva yakare iya yepfumvudza ramangwana racho sezvaakanga ataurirwa naErisha. Mwana uyu akati akura, rimwe zuva akaenda kunze kuna baba vake vaiva navakohwi. Akazoti kuna baba vake, “Yuwi, musoro wangu, musoro wangu!” Baba vakati kumuranda wavo, “Mutakure uende naye kuna amai vake.” Kuzoti murume uyu amutakura, aenda naye kuna amai vake, mwana akagara pamakumbo pavo vakamuti mumaoko mbunde kudzamara masikati zuva rorova nhongonya ndokubva mwana afa. Mai ava vakakwira padenga vakandomuradzika pamubhedha uya womunhu waMwari. Vakamupfigiramo vakabuda panze. Vakadaidzira kumurume wavo vachiti, “Nditumireiwo mumwe muranda kuno nedhongi rimwe ndigokurumidza kuenda kumunhu waMwari uya ndidzokezve kuno.” Iye akati, “Zvaita sei kuendako nhasi uno? Inga wani harizi Zuva Guru roKugara Kwemwedzi kana reSabata zvaro!” Ivo vakati, “Kutsvene zvako!” Mai ava vakasunga dhongi ravo vakaudza muranda wavo kuti, “Tinha dhongi iri rirambe richifambisa usambondimisa-misa zvako munzira asi kutoti ndakuudza.” Mai ava vakapinda murwendo rwavo vakasvika kumunhu uya waMwari kugomo reKarimero. Munhu waMwari paakaona vachiuya, akati kumushandi wake Gehazi, “Tarisa uone uko, muShunemu uya uyo. Ibva wamhanyira kundotambira mai avo uvati, ‘Kwakanaka here? Murume wenyu akadii zvake? Ko mwana akadii?’ ” Mai ava vakapindura vachiti, “Kutsvene zvako.” Pavakazosvika pagomo kumunhu waMwari, vakasvikobata tsoka dzake. Gehazi akauya woda kuvatakanurapo, asi munhu waMwari akati, “Varege vakadaro. Vari kushungurudzwa kwazvo mumwoyo. Zvino Tenzi andivanzira nhuna dzavo haana kunditaurirawo.” Mai ava vakazoti, “Changamire, ini ndakambokukumbirai mwana mukomana here? Handina here kuti musandinyengedze?” Iye akati kuna Gehazi, “Chisunga dzisimbe ubate tsvimbo yangu iyi muruoko uende. Kana ukasangana naani zvake rega kumukwazisa, anenge akukwazisa rega kumupindura, undoisa tsvimbo yangu pauso hwomwana wacho.” Amai vomwana ndokubva vati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu nemi muripo kudai kuti handimbokusiyai.” Nokudaro Erisha akasimukawo akabva avatevera. Gehazi akafanotungamira akasvikoisa tsvimbo pauso hwomwana uya, asi hapana chakanzwika kana chiratidzo choupenyu. Naizvozvo akadzokera kundosangana naErisha akamutaurira kuti, “Mwana haana kumuka.” Pakapinda Erisha mumba muya akaona mwana uyu akati rabada kufa pamubhedha pake. Ndokubva apindamo ndokuzvipfigiramo iye nomwana ndokunamata kuna Tenzi. Akakwirapo, akatsivama pamusoro pomwana uyu akaisa muromo pamuromo wake, maziso pamaziso ake, maoko akaaisa pamaoko ake. Paakanga akatsivama pamusoro pake kudaro, muviri womwana wakatanga kudziya. Erisha akasimuka zvakare akafamba mumba umu achiti endei mberi, dzokei shure. Akakwirapozve, akatsivama pamusoro pake, mwana akahotsira kanomwe, akabva asvinura meso. Erisha akatuma Gehazi kuti, “Daidza muShunemu uya.” Akabvawo andomudaidza. Mai ava pavakasvika kuna Erisha iye akati, “Chitakurai zvenyu mwanakomana wenyu uyu.” Ivo ndokuti bvucha mumakumbo aErisha vakati pasi kota kota. Vakazotakura mwana wavo ndokubva vabuda zvavo. Erisha akaendazve kuGirigari, izvozvo shangwa yenzara yakanga iri munyika umu. Iye paaingunotandara zvake neboka ravaporofita akati kumushandi wake, “Gadza bhodho guru ubikire boka ravaporofita ava usavi.” Mumwe wavo akaenda musango kundotsvaka muriwo. Akadimbura muvhaini womusango akautanha akasungira pamberi muhanzu yake kuzadza nezvipudzi zvomusango. Akauya akazvichekerera mupoto yousavi iyi asingazive kuti zvaiva zvii. Vakapakurira varume ava kuti vadye. Asi pavakangoti idyei usavi uhwu vakadaidzira voti, “Imi munhu waMwari, mupoto umu mune rufu umu.” Saka havana kukwanisa kuhudya. Iye akabva ati, “Chiunzai upfu.” Akahuisa mupoto umu ndokuti, “Chipakurirai vanhu vadye zvavo.” Mupoto umu makanga musisina chinokuvadza. Kwakauya mumwe murume wokuBhaarisharisha achiigira munhu waMwari chingwa chembesanwa dzokutanga, aiva makumi maviri ezvingwa zvebhari nechibage chinyoro mutsapo yake. Erisha akati, “Ipa varume ava vadye zvavo.” Asi mushandi wake akati, “Ndingazvigovanisa sei chaizvo kuzana revanhu iri?” Erisha ndokutizve, “Ipa varume ava vadye zvavo nokuti zvanzi naTenzi, ‘Vachadya vakatozvisiya.’ ” Saizvozvo akavaperekera zvokudya zvacho. Vakadya vakatozvisiya sezvakanga zvarehwa naTenzi. Mutungamiriri wehondo yamambo weSiria ainzi Naamani aiva munhu airemekedzwa zvikuru nachangamire vake, ari munhu wavo wapamwoyo nokuti naiyeyu uyu Tenzi akaita kuti vakurire vaSiria muhondo. Aiva murume uno, nyanzvi chaiyo yokurwa, asi akanga aine maperembudzi. VaSiria mune kumwe kupamba nehondo kwavaiita vakanga vatapa kamwe kasikana kokunyika yokwaIsiraeri kakava muranda womukadzi waNaamani. Musikana uyu akati kuna tenzi wake, “Dai kuri kuti changamire vamboonawo mumwe muporofita ari kuSamaria. Aivarapa chirwere chavo ichi chemaperembudzi.” Nokudaro Naamani akaendamo akasvitsa izvi kuna changamire wake achiti, “Izvozvo ndozvandaudzwa nomusikana akabva kunyika yokwaIsiraeri.” Mambo weSiria akabva ati, “Chitoendai zvino, ndichatumirawo mambo wokwaIsiraeri rugwaro.” Saizvozvo akaenda akatakura zviuru makumi matatu zvesirivha, nendarama zviuru zvitanhatu nehanzu gumi dzamachira, akanakisisa kwazvo. Akaenda norugwaro rwacho kuna mambo wokwaIsiraeri rwaiti: “Rugwaro urwu rwasvika kwamuri nderwokukuzivisai kuti ndatumirako gurukota rangu Naamani kuti mumurapewo maperembudzi ake.” Mambo wokwaIsiraeri paakaverenga rugwaro irworwu akabvarura hanzu dzake akati, “Ndiri Mwari here anouraya nokupawo upenyu wokuti muchinda uyu anganditumire shoko rokuti ini ndirape munhu maperembudzi ake? Maonawoka kuti uku kutsvaka kupopotedzana neni chete.” Asi pakanzwa munhu waMwari Erisha kuti mambo wokwaIsiraeri akanga abvarura hanzu dzake akatumira mambo shoko rokuti, “Madarireiko kubvarura hanzu dzenyu? Regai zvenyu auye kwandiri kuno iye zvino azoziva kuti muIsiraeri mune muporofita.” Nokudaro Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzehondo akasvikomira pamusuo pamba paErisha. Erisha akamutumira nhume kundoti, “Enda undoshamba kanomwe kuna Jorodhani muviri wako uchapora woita sezvawaimbova uchibvawo wachenurwa.” Asi Naamani akashatirwa ndokubva apomoka kuenda oti, “Chionaika, ndanga ndichiti achatoita zvokunyatsobuda panze pandiri, omira pakadarowo apo, odaidza zita Tenzi, Mwari wake achivheyesa maoko ake pamusoro penzvimbo iyoyo obva arapa maperembudzi acho! Ko, Abhana naFapari nzizi dzokuDhamasikusi, hadzisiri nani here pane mvura yose yomuIsiraeri. Kwangu kutadza here kushamba madziri ndichenurwe?” Akabva afuratira oenda zvake akashatirwa. Varanda vake vakaswedera paari vakati kwaari, “Nhai baba, dai muporofita uyu anga ati muite chimwe chinhu chikuru mungadai musina kuchiita here? Ndoda zvapo apa paangokutii shambai muchenurwe!” Ipapo akadzika akandozvinyika kanomwe muna Jorodhani sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, muviri wake ukapora ukaita sezvawaimbenge uri ukanaka sewemwana mudiki akabva achenurwa. Akadzokera kumunhu waMwari iye nechikwata chake chavanhu. Akasvika akamira paari akati, “Ndazoziva zvino kuti muIsiraeri chete ndimo muna Mwari pasi pano pose zvapo, saka dai imi mangochindigamuchirirawo ini muranda wenyu chipo ichi.” Asi Erisha akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu wandinonamata hapana chandiri kuzogamuchira.” Naamani akamunyengetedza kuti achitore asi iye akaramba. Naamani ndokuti, “Kana zvakona ndapota zvangu chiregai zvenyu ini muranda wenyu nditakurirwe namanyurusi mikwende miviri yevhu. Ndinodaro nokuti ini muranda wenyu handichazopira mupiro wokupisa kana chibayiro kune mumwe mwari zvake asi kuna Tenzi chete. Panyaya iyi, dai Tenzi angondiregererawo ini muranda wenyu changamire wangu paanopinda mumba mokunamatira Rimoni kundomupfugamiramo akazendama kuruoko rwangu iniwo ndichikotamira Rimoni mumba make, pandinokotamira Rimoni mumba make dai Tenzi angondiregererawo ini muranda wenyu panyaya iyi.” Erisha akati kwaari, “Wochifamba zvako zvakanaka.” Asi Naamanai paakangoti fambei chinhambwe chidiki abva pana Erisha, Gehazi mushandi womunhu waMwari uya Erisha akazviti, “Ho-o-o tenzi wangu atorega zvake vaNaamani muSiria uya akaenda zvake achirega kugamuchira chipo chaanga auya akabata mumaoko. NaTenzi chaiye mupenyu, regai ndimhanye ndimutevere ndiwane chinhu chandingawane kwaari.” Nokudaro Gehazi akatevera Naamani. Naamani paakaona munhu aimutevera akabva ajitika mungoro yake yehondo ondosangana naye akati, “Kwakanaka here?” Iye akati, “Zvose zvakanaka hazvo. Asi vatenzi vangu ndivo vandituma neshoko rokuti, ‘Ndasvikirwawo iyezvinouno namajaya maviri eboka ravaporofita vokunyika yaEfuremu yemakomo. Dai zvenyu mukapa ivavo zviuru zvitatu zvesirivha nehanzu mbiri dzamachira akanakisisa.’ ” Naamani akati, “Tora zvako zviuru zvitanhatu zvesirivha.” Uyewo akamukurudzira, akasungira sirivha yacho mutsapo mbiri nehanzu mbiri dzamachira akanakisisa dziye akazvitakudza varanda vake vaviri. Vakazvitakura vari mberi kwaGehazi. Kuzoti asvika kugomo kuya akazvitora akaisa mumba akati varume ava vaende zvavo ndokubvawo vaenda. Akapindamo zvake akamira pana tenzi wake, Erisha akati kwaari, “Nhai Gehazi wanga uri kupiko?” Iye akapindura achiti, “Handina kwandanga ndaenda ini muranda wenyu.” Asi Erisha akati, “Tanga tisiri tose here mumweya newe padzoka murume uya mungoro yake yehondo kuzosangana newe? Ndonguva here iyoyi yokugamuchira mari nehanzu neminda yemagirepisi neminda yemivhaini nehwai nemombe navaranda vechikadzi nevechirume? Saka naizvozvo maperembudzi aNaamani atobatirira pauri iwe nezvizvarwa zvako nokusingapere.” Naizvozvo Gehazi akabuda obva paari muviri wake wati zvino mbuu kuchenuruka kunge aumburuka murota namaperembudzi. Chikwata chavaporofita chiya chakati kuna Erisha, “Onaika, panzvimbo pano patinogara tiri mumaoko enyu, patidupikira kwazvo. Regai zvenyu tiende kuna Jorodhani mumwe nomumwe wedu atsvake bango ikoko tizvivakire pokugara ikoko.” Erisha akati, “Endai zvenyu!” Mumwe wavo akabva ati, “Dai mukaendawo pamwechete nesu varanda venyu!” Erisha akapindurawo achiti, “Ndinoendawo.” Nokudaro akaenda navo. Pavakasvika muna Jorodhani, vakatanga kutema miti. Asi mumwe wavo achitema bango kudaro chese yedemo rake yakasvotokera mumvura. Akazhamba kuchema achiti, “Babaiwe kani! Changamire, demo iri rakatoita zvokukumbirwa.” Munhu waMwari akati, “Rawira nepapi?” Paakamuratidza parakawira napo akatema chimuti akachikanda ipapo ndokuita kuti chese iya yesimbi iyangarare. Erisha ndokuti, “Chiisimudza zvako.” Iye akasvitsa ruoko rwake payaiva akabva aitora. Kwakati kwamuka hondo pakati pamambo weSiria nevokwaIsiraeri, mambo akarangana namakurukota ake achiti, “Kwanhingi kuya kuya ndokwandichandoti matendhe angu dzii kumisa.” Asi munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo wokwaIsiraeri rokuti, “Chenjererai kuti murege zvenyu kupfuura nokunzvimbo iyoyi nokuti vaSiria vari kutodzika ikoko.” Mambo wokwaIsiraeri akatumira nhume kunzvimbo kwaakanga ataurirwa nomunhu waMwari uya. Ikoku ndokumubayira zani kwaaiita zvokuti akatozviponesa ruviri kana kuti rutatu rwese. Izvozvi izvi zvakashungurudza mwoyo kwazvo mambo weSiria akadaidza makurukota ake akaati, “Hamungandiratidzewo here mumwe wedu ane rimwe namambo wokwaIsiraeri?” Rimwe gurukota rake rakati, “Changamire mambo, hapana, asi kutoti Erisha muporofita womuIsiraeri ndiye anonyevera mambo wokwaIsiraeri zvamunotaura imi kunyange muri mumba menyu mokurara chaimo.” Iye ndokuti, “Chiendai mundomutsvaka kwaari kuti nditume vokundomubata.” Akataurirwa kuti, “Ari kuDotani.” Akabva atumirako ngoro dzehondo dzamabhiza nehondo huru yavarwi vakasvikokomberedza guta iroro nousiku. Kuzoti ava mangwanani mushandi womunhu waMwari akafumomuka akabuda, onei guta rakakombwa nehondo yavarwi nengoro dzehondo dzamabhiza. Mushandi uya akati, “Tapera changamire! Todiiko?” Erisha ndokuti, “Rega zvako kutya nokuti vatinavo vakawanda kupinda vavanavo.” Erisha ndokunamata achiti, “Imi Tenzi ndapota pengenutsaiwo meso ake kuti aone.” Saizvozvo Tenzi akapengenutsa jaya iri meso rikabva raona. Ndiye onei gomo rakati shutu kuzara nengoro dzehondo dzamabhiza dzakakomberedza Erisha. VaSiria pavakamudzikira ikoko, Erisha akanamata kuna Tenzi achiti, “Imbondiroveraiwo vanhu ava nechidzimira.” Akavarova nechidzimira maererano nomunamato waErisha. Erisha akabva ati kwavari, “Iyi haisiriyo nzira yacho uye guta racho harisi rino iri. Chinditeverai zvenyu ndindokusvitsai kumurume wamuri kutsvaka.” Akaenda navo kuSamaria. Vachangoti pindei muSamaria, Erisha akati, “Nhai Tenzi chipengenutsai vanhu ava meso kuti vachiona.” Tenzi ndokupengenutsa meso avo vakabva vava kuona, vakatenge vava mukati meSamaria. Mambo wokwaIsiraeri achivaona akati kuna Erisha, “Ndovauraya here nhai baba? Ndovauraya here?” Iye akapindura achiti, “Regai kuvauraya! Mungauraye here nhapwa dzamunenge zvenyu matapa namapakatwa enyu nouta hwenyu? Vapei zvenyu chokudya nemvura vadye, vanwe vaende zvavo kuna tenzi wavo.” Ipapo akavaitira mabiko makuru kwazvo. Kuzoti vadya vanwa, akavaperekedza vakabva vadzokera kuna tenzi wavo. VaSiria ndokubvawo vapfidza kuita zvokupamba munyika yokwaIsiraeri. Mushure mezvizvi Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake akandokomba Samaria. MuSamaria makaita shangwa yenzara vakarikomba kudaro zvikasvitsa pakuti musoro wedhongi zvawo utengeswe makumi masere emari yesirivha uye zimowa danga rainge richirema magiramu mazana maviri ritengeswewo mazana mashanu emari yesirivha. Mambo wokwaIsiraeri akati achipfuura ari pamusoro porusvingo, mumwe mukadzi akadaidzira kwaari achiti, “Ndiyamureiwo changamire, nhai mambo!” Iye akati, “Kana Tenzi akarega kutokuyamura unoti ini ndingagokuyamurawo nei? Nezvekuburiro here kana kuti zvomumudziyo unosvinirwa waini.” Mambo ndokumuti, “Wanetswa nei?” Mudzimai uyu akati, “Mukadzi uyu akanditi, ‘Unza mwana wako mukomana timudye nhasi, mangwana tozodyawo mwanakomana wangu.’ Saizvozvo takabika mwana wangu tikamudya. Ramangwana acho ndakamuti chiunza mwana wako mukomana timudye, iye ndopaava kutohwandisa zvake wake mwana.” Mambo achinzwa nyaya yomukadzi uyu akabva abvarura hanzu dzake. Izvozvo mambo ainge achipfuura napamusoro porusvingo paya. Vanhu ndokuti ji kutarisa, onei mukati, mambo akapfeka hanzu dzemasaga pamuviri pake. Akati, “Mwari ngaandione asve atondiomesera zvake kana ndikasiya musoro waErisha mwanakomana waShafati uripo ndikarega kuudimura iye nhasi uno.” Izvozvo Erisha ainge ari mumba make, vakuru vakuru vachitandara zvavo naye. Zvino mambo akatenge afanotuma mumwe murume akabva paaiva. Asi murume uyu asati asvikako, Erisha akafanoti kuvakuru vakuru vacho, “Muri kuona here zvarongwa nomwana womuurayi uyu, kutumira munhu kuzondidimura musoro nhai? Chinzwai, kana nhumwa yacho yasvika imi pfigai musuo, moramba makamubatira gonhi zviya zvokuti ndi chaizvo. Uyo hausiri mutsindo watenzi wake ari kumutevera here?” Achiri kutaura navo kudaro nhumwa iya yakasvika kwaari ikati, “Nhamo iyi inhamo iri kuunzwa naTenzi. Ko ndichagorambirei ndakangomirira Tenzi?” Asi Erisha akati, “Inzwai zvinotaurwa naTenzi; zvanzi naTenzi, mangwana nenguva idzo dzino idzi, upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu matatu huchazenge hwava kutengeswa mari imwechete yesirivha uyewo bhari inorema makirogiramu matanhatu yotengeswa mariwo imwechete yesirivha kusuo guru reSamaria.” Mukuru mukuru aiva wepedyopedyo kwazvo namambo akati kumunhu waMwari, “Kunyange iye Tenzi, kuri kuti aita mahwindo mudenga umu ndopazvingaitike izvozvo here?” Asi Erisha akati, “Iyewe uchatozviona nameso ako aya asi hausi kuzombozvidya.” Izvozvo kwaiva navamwe varume vana vakanga vaina maperembudzi vaigara kwokunge toda kupinda pasuo guru riya. Vakataurirana vachiti, “Tadirei kuti tisvike pakufa takangoti pwasha kugara pano apa. Kana tikati tipinde zvedu muguta, nzara iri kubaya muguta umu, tingafire imomo. Kana tikati zunye kugara pano tinopafazve. Saka iye zvino uyai tiyambukire kumatendhe evaSiria uku. Kana vakatirega tiri vapenyu tatorarama, asi kana vakatiuraya tafawoka zvedu.” Vakabva vasimuka rubvunzavaeni voenda kumatendhe avaSiria. Kuzoti vasvika kwaitangira matendhe evaSiria aya wanei pakati n'ono pasina nomunhu wose. Chakadariso ndechokuti Tenzi akanga aita kuti hondo inzwe maungira engoro dzehondo neemabhiza namaungira ehondo huru kwazvo zvokuti vakataurirana vachiti, “Zvamunoonaka mambo wokwaIsiraeri akandotenga madzimambo evaHiti nemadzimambo evaIjipiti kuti vatirwise.” Ipapo rubvunzavaeni irworwo vakati ware kutiza vachisiya matendhe avo namabhiza avo namadhongi avo vakasiya pamatendhe pavo pakangodaro vakatiza kuponesa upenyu hwavo. Pakasvika vana maperembudzi ava kwaitangira matendhe aya vakapinda mutendhe rimwe vakadya vakanwa vakabva vatora sirivha nendarama nehanzu vakandozviviga. Vakadzoka vakapinda mune rimwe tendhe ndokutakuramo zvimwe zvinhu vakandozviviga. Vakazotaurirana vachiti, “Zvatiri kuita izvi hazvina kunaka. Nhasi izuva redama rakanaka. Kana tikaramba takanyarara kusvikira mangwanani kwaedza tingazorangwa. Saka naizvozvo ngatichibvai taenda kundotaurira vokumuzinda kwamambo.” Vakabva vaenda vakasvikodaidza vachengetedzi vapasuo guru repaguta iri. Vakavati, “Isu tasvika pamatendhe evaSiria. Mufungeka hapana nomunhu wose wataonapo kana kunzwa zvako kana chii zvacho asi kutoti mabhiza akasungwa namadhongi akasungirirwa namatendhe akangodaro sezvaaingova.” Vachengetedzi vepasuo guru ava vakashevedzera zvikabva zvasvitswa mukati kune vomumuzinda wamambo. Mambo uyu akamuka usiku ihwohwo akati kumakurukota ake, “Chiregai ndikutaurirei zvarongwa kuitwa navaSiria ava kwatiri. Chavari kutoziva zvavo izvozvi ndechokuti isu tabayiwa nenzara. Ndokusaka vabva pamatendhe avo vandohwanda kunze vachiti panongoti vaIsiraeri budei muguta isu tinobva tavabata vari vapenyu topinda zvedu muguta umu.” Rimwe gurukota rake rakati, “Regai vamwe varume vatore mabhiza mashanu pane aye akasiyiwa sezvo muri kutoonaka kuti ava vakasara muno ava vachangoitawo segungano rose reIsiraeri ratodai kupera kutsakatika. Ngativatume tione.” Saizvozvo vakatora varume vaviri vachairi vengoro dzehondo dzemabhiza, mambo akavatuma kuti varonde hondo yevaSiria achiti, “Endai mundoona.” Vakavaronda kudzamara kuna Jorodhani uko, onei mugwara macho mose makati mwarara nehanzu midziyo zvairaswa navaSiria pavakanga voita zvechimbichimbi. Nhume idzi dzakadzoka dzikazvisvitsa kuna mambo. Vanhu vakabuda vakandopamba zvinhu pamatendhe evaSiria. Nokudaro makirogiramu matatu oupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa akabva ava kutengeswa nemari imwechete yesirivha uye makirogiramu matanhatu ebhari ava kutengeswa nemari imwechete yesirivha sezvakanga zvarehwa naTenzi. Izvozvo mambo akanga asarudza mukuru mukuru uya wokuva pedyopedyo kwazvo naye kuti ave ndiye wokuchengeta pasuo guru. Zvino vanhu vakamutsikirira pasi pasuo guru pacho zvokuti akabva afa sokutaura kwakanga kwaita munhu waMwari uya paya pakasvika mambo kwaari. Sezvo munhu waMwari paakanga ati kuna mambo, “Makirogiramu matanhatu ebhari achazenge ava kutengeswa mari imwechete yesirivha, uye makirogiramu matatu oupfu kwekoroni hwakanyatsokuyiwa achazenge otengeswawo mangwana nguva ino iyi mari imwechete yesirivha kusuo guru reSamaria,” mukuru mukuru iyeyu akapindura munhu waMwari uya achiti, “Kunyange zvazvo iye Tenzi kuri kuti aita mahwindo mudenga umu, zvakadaro ndopazvingaitike here izvozvo?” Iye akanga amuti, “Iyewe uchatozviona nameso ako, asi hausi kuzombozvidya.” Izvozvi ndizvo zvakazoitika kwaari, vanhu vakabvawo vamutsikirira pasi pasuo guru pacho akafa. Erisha akanga ati kumudzimai uya ane mwanakomana waakaita kuti ave mupenyu pakare, “Simukai mutame nemhuri yenyu iyi mumbondogara kwose kwose kwamunenge mawana nokuti Tenzi aronga kuti kuite shangwa yenzara munyika muno kwamakore manomwe.” Saizvozvo mudzimai uyu akasimuka akaita sezvaakanga ataurirwa nomunhu waMwari. Akaenda nemhuri yake akambondogara kunyika yevaFirisitia kwamakore manomwe. Kuzoti makore manomwe apera pakadzoka mudzimai uyu kunyika yavaFirisitia, akandosvitsa nyaya yake kuna mambo yokuti adzoserwe musha wake namakura ake. Izvozvo mambo aingunotaura naGehazi mushandi womunhu waMwari achiti, “Ndiudze ndinzwe mabasa makuru ose akaitwa naErisha.” Akati achirondedzera kuna mambo zvakaitwa naErisha zvokuita kuti munhu akanga afa ave mupenyu pakare, mudzimai uya akamutsirwa mwanakomana wake naErisha ndiye nepo wotopira nyaya yake kuna mambo yokuti adzoserwe musha wake namakura ake. Gehazi ndokuti, “A changamire mambo ndiyeyuka mudzimai wacho, hoyuka mwanakomana wake nyakuitwa mupenyu pakare naErisha.” Mambo paakabvunzawo mudzimai uyu, iye akamurondedzera. Mambo akabva amusarudzira mumwe mukuru mukuru akamuti, “Dzoserai mudzimai uyu zvinhu zvake zvose pamwechete nembesa dzose dzaibuda mumunda wacho kubvira pamusi waakasiya dunhu iroro kusvikira iye zvino.” Zvino Erisha akaenda kuDhamasikusi. Bhenihadhadhi mambo weSiria airwara. Paakataurirwa kuti, “Munhu waMwari akauya kuno,” mambo akati kuna Hazaeri, “Takura chipo ichi undosangana nomunhu waMwari, undinzwire kuti Tenzi anoti kudii nokwaari, uti, ‘Ko ini ndichararama here paurwere hwangu ihwohu?’ ” Saizvozvo Hazaeri akaenda kundosangana naye akamutakurira chipo chezvinhu zvose zvakasiyana-siyana zvomuDhamasikusi zvaitotakurwa namakumi mana engamera. Paakasvika akamira paaiva akati, “Mwanakomana wenyu, Bhenihadhadhi mambo weSiria andituma kwamuri neshoko rokuti, ‘Ko ini ndichararama here paurwere hwangu ihwohu?’ ” Erisha akati kwaari, “Enda undomutaurira kuti zvanzi, ‘Zvokupora muchanyatsorarama zvenyu, asi Tenzi andiratidza kuti zvechokwadi muchafa.’ ” Erisha ndokuramba akamuti ndee kumutarisa kusvikira ava kunyara ndokubva munhu waMwari ahwihwidza kuchema. Hazaeri akati, “Zvaita seiko changamire kuzohwihwidza kuchema kudai?” Iye akati, “Nokuti ndiri kuziva zvakaipa zvauchaita kuvanhu veIsiraeri. Uchapisa nomotoka iwe nzvimbo dzavo dzakavakirirwa netsvingo. Uchaurayaka iwe majaya avo namapakatwa, pwere dzavo uchipwatitsira kurovera pasi, uchitumbura madzimai avo ane pamuviri.” Hazaeri ndokuti, “Pangu panowo iyeni muranda wenyu, imbwa zvayo ndingasvikewo pakuita chinhu chikuru chakadaro.” Erisha akati, “Tenzi andiratidza kuti ndiwe uchava mambo weSiria.” Akazobva pana Erisha akadzokera kuna tenzi wake akamuti, “Erisha ati kudiiko kwauri.” Iye akati, “Zvandataurirwa naErisha ndezvizvi zvokuti kupora muchanyatsopora.” Asi mangwana acho akatora chimwe chokufukidza nacho akachinyika mumvura akati gude kupfumbira uso nacho kusvikira afa. Hazaeri akava mambo pachinzvimbo pake. Mugore rechishanu rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsiraeri, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. Akanga ava namakumi matatu amakore namakore maviri paakava mambo, akatonga muJerusaremu kwamakore masere. Iye akatevedzera makwara amadzimambo okwaIsiraeri sezvakanga zvaitwa nevemba yaAhabhu nokuti mudzimai wake akanga ari mukunda waAhabhu. Akaitawo zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Zvakadaro zvazvo Tenzi haana kuparadza vokwaJudha achiitira muranda wake Dhavhidhi, sezvo akanga amutsidzira kumupa mwenje unogara uchipfuta nokusingapere navanakomana vake. Panguva yake Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha, ikazvigadzirawo mambo wayo. Joramu ndokuyambukira kuZairi aine ngoro dzake dzose dzehondo, akamuka nousiku iye navakuru vakuru vake vengoro dzehondo akarakatisa kuuraya vaEdhomu vakanga vamukomberana. Asi hondo yake yakatizira kumusha. Nokudaro Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha kusvikira pari nhasi, panguva yakareyo guta reRibhuna rakapandukawo. Inga dzimwe nyaya dzezvaJoramu nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Joramu akazovatawo oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwe chete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi, mwanakomana wake Ahaziya akazotonga pachinzvimbo pake. Mugore regumi nechipiri rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsairaeri, Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo wakwaJudha akatangisa kutonga. Ahaziya akanga ava namakore okuberekwa makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga, akatonga gore rimwechete ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Atariya vaiva muzukuru waOmuri mambo wokwaIsiraeri. Iyeyuwo akatevedzera makwara emba yaAhabhu achiita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakanga zvaitwa nemba yaAhabhu sezvo aiva mukuwasha kumba yaAhabhu. Ahaziya akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu kuhondo kundorwisa Hazaeri mambo weSiria kuRamoti kuGireadhi kwakakuvadzirwa Joramu navaSiria. Mambo Joramu akadzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa nevaSiria kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzikako kundotarira Joramu mwanakomana waAhabhu kuJezirieri sezvo ainge achirwara. Muporofita Erisha akadaidza mumwe weboka ravaporofita akati kwaari, “Pfeka utore chinu chamafuta mumaoko, uende kuRamoti kuGireadhi. Kana wasvikako, tsvaka mumwe munhu anonzi Jehu akaberekwa naJehoshafati mwana waNimushi, pindamo umuti asumuke pana vamwe vake, uende naye mumba yomukati wotora chinu chamafuta chiya, wodira mafuta mumusoro make uchiti, ‘Zvanzi naTenzi ndakuzodza mafuta kukugadza umambo hwokwaIsiraeri.’ Wobva wazarura musuo wotiza usambomira zvako.” Naizvozvo muporofita wacho, jaya iri rakaenda kuRamoti kuGireadhi. Akasvikako, wanei vatungamiriri vehondo vari mudare. Akati, “Ndine kamwe kanyaya nemi mutungamiriri wehondo.” Jehu akati, “Naani wacho pakati pedu tose?” Iye akabva ati, “Naiyemi mutungamiriri wehondo.” Ipapo akasimuka akapinda mumba, muporofita uyu, jaya riye rikadira mafuta mumusoro make rikati kwaari, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Ndakugadza kuva mambo wavanhu vaTenzi, vaIsiraeri. Unofanira kuparadza imba yaAhabhu, changamire wako kuitira kuti nditsividze Jezebhero ropa revaranda vangu vaporofita neropa revaranda vose vaTenzi nokuti imba yose yaAhabhu inofanira kuparara. Ndichaparadza vokwaAhabhu, munhu wose wechirume muranda kana asiri muranda muIsiraeri. Imba yaAhabhu ndichaiita hwemba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati uye hwemba yaBhaasha mwanakomana waAhiya. Imbwa dzichadya zvadzo Jezebhero mudunhu reJezirieri hapana neanozomuviga.’ ” Akabva azarura musuo ndokutiza. Jehu paakabudamo akapinda muna machinda achangamire wake, iwo akati kwaari, “Kwakanaka here? Ko iri benzi romunhu ranga ravingei kwamuri?” Iye akati kwavari, “Inga munhu akadai uyu munongomuzivawo wani uye nezvaanotaura.” Ivo vakati, “Kweteka, hazvisizvo, chitiudza.” Akabva ati, “Zvaanditaurira ndezvizvi izvi: ati, ‘Zvanzi naTenzi, ndakugadza paumambo hwokwaIsiraeri.’ ” Munhu wose pavari ivava akaita chipatapata kutora hanzu yake akamuwaridzira pasi pamanera chaipo. Vakaridza hwamanda vachizivisa kuti, “Jehu ndiye mambo.” Jehu mwanakomana waJehoshafati muzukuru waNimishi akabva apandukira mambo Joramu. Izvozvo Joramu nevokwaIsiraeri vose vakanga vandodzivirira guta reRamoti kuGireadhi rairwiswa naHazaeri mambo weSiria. Zvino mambo Joramu akanga adzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa navaSiria paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ipapo Jehu akati, “Kana zvirizvo zvakupindaiwo mumwoyo ngapachirega kuva naanoverera muguta muno kundosvitsa shoko irori kuJezirieri.” Jehu ndokuti mungoro yake yehondo kata akaenda kuJezirieri sezvo Joramu akanga arere ikoko. Izvozvo Ahaziya mambo wokwaJudha akanga adzikako kundotarira Joramu. Mugaririri akanga amire panharire muJezirieri, akaona chikwata chaJehu chichiuya akati, “Ndiri kuona chikwata chavanhu.” Joramu akati, “Tuma munhu nebhiza anochingurana navo, avabvunze kuti kwakanaka here?” Saizvozvo mumwe munhu akaenda nebhiza kundochingurana naye akati, “Mambo vati kwakanaka here?” Jehu akati, “Unei nazvo zvokunaka zvacho? Chitendeutsa bhiza rako unditevere.” Mugariri uyu akataura achiti, “Nhume iyo yasvika kwavari, asi hayizi kudzoka.” Akabva atumirako kechipiri munhu nebhiza, akasvika kwavari akati, “Mambo vati kwakanaka here?” Jehu akati, “Zvokunaka unei nazvo? Chitendeutsa bhiza rako unditevere.” Mugaririri akataurazve achiti, “Nhume iyo yasvika kwavari, asi hayizi kudzoka. Asi muchairiro wacho unenge muchairiro waJehu mwana waNimishi nokuti ari kupengereka chaizvo.” Joramu akati, “Gadzirirai.” Vakabvawo vagadzirira ngoro yake yehondo. Joramu mambo wokwaIsiraeri naAhaziya mambo wokwaJudha ndokubva vati uyu mungoro yake, uyu mungoro yake vopinda munzira kundochingurana naJehu ndiye dhuma dhuma naye pamunda waNabhoti womuJezirieri. Joramu paakaona Jehu akati, “Kwakanaka heren Jehu?” Iye akapindurawo achiti, “Kuchinakei ihwo hunzenza hwokunamata zvifananidzo hwaamai vako Jezebhero nouroyi hwavo hwakadai kuwanda?” Joramu akatendeutsa bhiza rake otiza achiti kuna Ahaziya, “Kwapandukwa Ahaziya we-e!” Jehu akatatamura uta hwake nesimba rake rose akapfura Joramu pakati pamapendekete ake zvokuti museve wakabaya mwoyo wake akabva ati bvucha mungoro make. Jehu akauudza Bhidhikari mumwe mukuru mukuru wehondo yake kuti, “Musimudze umukande mumunda waNabhoti womuJezirieri. Handiti uchiri kuyeuka shoko riya rakataurwa naTenzi nezvake paye paye pataifamba tose tiri pamabhiza takavambirana, iwe neni tiri mushure maAhabhu, baba vake pakanzi, ‘Tenzi ati chokwadi chokwadi sokuona kwandakaita nezuro ropa raNabhoti nerevanakomana vake ndizvo zviri kutaura Tenzi ndichaita kuti iyewe uriripe pamunda ipo pano, ndini Tenzi ndinodaro. Saka zvino mutore umukande mumunda maererano neshoko raTenzi.’ ” Ahaziya mambo wokwaJudha paakaona izvozvi akati ware kutiza onanga kuBhetihagani. Jehu akamudzingirira achiti, “Kana iyeyo uyo, mupfurei!” Vakamupfura ari mungoro iya okwira makata okuGuru pedyo neIbhereamu iye ndiye ware kutizira kuMegidho akafirako. Makurukota ake akamutakura mungoro yehondo vakaenda naye kuJerusaremu vakamuviga muguva rake pamwechete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Ahaziya uyu akanga atangisa kutonga kwaJudha mugore regumi nechiposhi rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu. Jehu paakasvika kuJezirieri, Jezebhero akazvinzwa. Jezebhero akanyatsozvizora maziso ake ndokuzvishongedza musoro. Akadongorera napahwindo. Jehu akati achipinda pasuo guru, Jezebhero akati, “Kutsvene here nhai Zimuri, munhu anouraya tenzi wake?” Akatarisa mudenga kuhwindo kwacho akati, “Ndiani aneni? Ndiani?” Mayuniki maviri kana matatu akadongorera kunze kwaari. Iye ndokuti, “Mukandidzirei pano pasi.” Vakamukandidzira pasi, rimwe ropa rake rikachatikira kumadziro nepamabhiza akabva amutsikirira pasi. Jehu ndokupinda, akadya nokunwa zvake ndokuzoti, “Dai mukaona kuti mukadzi worushambwa uyu avigwa nokuti mukunda wamambo.” Asi pavakachizoti voenda kundomuviga hapana chavakazowana kunze kwomusoro namakumbo nezvanza zvamaoko ake chete. Pavakadzoka kuzomutaurira iye akati, “Izvozvi ndizvo wani zvakarehwa naTenzi nomuromo womuranda wake Eriya wokuTishibhi paakati, ‘Imbwa dzichadya zvadzo mutumbi waJezebhero mudunhu reJezirieri. Chitunha chaJezebhero chichaita sendove kuti kata kata pasi mumunda womudunhu reJezirieri, kushaye anoziva kuti uyu ndiIzebhero uyu.’ ” Ahabhu aiva navanakomana makumi manomwe kuSamaria. Jehu akanyora tsamba akadzitumira kune vokuSamaria kuvatongi veJezirieri nokuvakuru vakuru vacho nokune vaiva vokuchengeta vana ivava vaAhabhu achiti, “Sezvamunongoonawo kuti vana vatenzi venyu munavo, nengoro dzehondo munadzo namabhiza uye mune maguta ane tsvingo nezvombowo zvokurwisa nazvo saka panongosvika chete tsamba iyoyi kwamuri mobva matosarudza mwana watenzi wenyu murume uno chaiye akasvika mumugadze pachigaro chababa wake choumambo, mutorwira umambo hwemba yababa wenyu.” Asi vakabva vabatwa nokutya kwakanyanyisa kwazvo vakati, “Onaika kuti madzimambo maviri aya akakundika kumirisana naJehu ko kutozoti isusu?” Nokudaro mukuru mukuru womuzinda nomutongi weguta pamwechete navakuru vakuru vacho navachengeti vaya, vakatumira Jehu shoko rokuti, “Tiri varanda venyu zvose zvamunenge mangotiudza tinoita. Hakuna munhu watinogadza umambo kuno. Itai zvenyu zvamunoda.” Iye akavanyorera tsamba yechipiri achiti, “Kana muri kudivi kwangu uye kana makagadzirira kunditeerera mochidaizvi. Bvisai vanakomana vatenzi wenyu misoro muuye kwandiri kuJezireeri mangwana panguva idzo dzino idzi.” Izvozvo vanakomana vamambo makumi manomwe vakanga vaine varume vomuguta iroro vaivarera. Pakasvika tsamba iyi kwavari, vakabata vanakomana vamambo, makumi manomwe avanhu vakavauraya vakaisa misoro yavo mudzitswanda vakaitumira kuna Jehu kuJezirieri. Pakasvika nhume ikamupira kuti, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo,” iye akati, “Iitei mirwi miviri kumberi kwesuo guru kusvikira mangwanani.” Mangwanani acho akabuda akamirapo akataurira vanhu vose kuti, “Imi hamuna mhosva. Ini ndini ndakapandukira tenzi wangu ndikamuuraya. Ko akaurayawo vose ava ndiani? Chizivai kuti muromo waTenzi hauwire pasi waakataura iye Tenzi nezvemba yaAhabhu nokuti Tenzi aita zvaakareva nomuromo womuranda wake Eriya.” Saizvozvo Jehu akauraya vose vemba yaAhabhu vakanga vasara kuJezirieri, akaurayawo vakuru vakuru vake vose neshamwari dzake navapristi vake akasara asisina nomunhu wose. Jehu akasimuka akaenda kuSamaria, ari munzira kudaro ava kuBhetiekedhi yavafudzi akasangana nehama dzaAhaziya mambo wokwaJudha akati, “Ndimi vanaaniko?” Ivo vakati, “Isu tiri hama dzokwaAhaziya tauya kuzoshanyira vanakomana vamambo nevanakomana vaamai vamambo.” Iye ndokuti, “Vabatei vari vapenyu kudai.” Vakavabata vari vapenyu kudaro vakavaurayira kumugodhi wokuBhetiekedhi vaiva makumi mana avanhu ana vanhu vaviri hapana waakasiya ari mupenyu. Paakabva ipapo akasangana naJehonadhabhu mwanakomana waRekabhu achiuya kuzosangana naye. Jehu akamukwazisa akamuti, “Uri papi? Ini ndiri wako ini. Ko iwe uri wangu here?” Iye akati, “Ndizvozvo.” Jehu akati, “Kana zvakadaro ndibate,” iye ndokumukwazisa. Jehu akamukwidza mungoro yake yehondo akati, “Handei undoona shungu dzangu naTenzi.” Vakabva vamukwidza mungoro make. Kuzoti asvika kuSamaria akauraya vose vokwaAhabhu vakanga vasara muSamaria kudzamara aparadza sokutaurawo kwaTenzi nomuromo waEriya. Jehu akazounganidza vanhu vose akati kwavari, “Kunamata Bhaari kwaiita Ahabhu kwaiva kushoma kuye, ini Jehu ndichamunamata zvikuru kwazvo. Saka naizvozvo chindidaidziraiwo vaporofita vose vaBhaari navose vanomunamata navapristi vake vose kurege kuwana asingauyeko. Hapafanire kuva neanoshayikwapo. Ndinodaro nokuti ndine chibayiro chikuru kwazvo chokupira kuna Bhaari. Kuwana anoshayikwapo pake pamuperera.” Asi Jehu aiita izvozvo kuri kunyengedza achida zvake kuparadza vanamati vaBhaari. Jehu akati, “Itirai Bhaari musangano,” vakabvawo vaukokera. Jehu akatumira shoko kwaIsiraeri kwose, vanamati vaBhaari vose vakauya zvokuti hapana asina kuuya. Vakapinda mumba yaBhaari ikazara kunze nokunze. Jehu akati kune aichengeta maichengeterwa magemenzi, “Buritsira magemenzi vanamati vaBhaari vose.” Saizvozvo akavaburitsira magemenzi aye. Jehu akapinda mumba maBhaari aina Jehonadhabhu mwanakomana waRekabhu akati kuvanamati vaBhaari, “Nyatsotsvakai muone kuti hapana munamati waTenzi pakati penyu asi kuti vanamati vaBhaari voga.” Vakapinda kundopira zvibayiro nemipiro yokupisa. Paakangopedza chete kupira chibayiro chokupisa, Jehu akati kune vakanga vakagaririra vaye nokuvakuru vakuru, “Pindai muvauraye! Hapana anofanira kupunyuka!” Vokugaririra vaye navakuru vakuru pavakapedza kuvauraya namapakatwa, vakakanda zvitunha panze vakapinda mumba yomukati memba yaBhaari. Vakaburitsa chifananidzo chokunamata chaiva mumba maBhaari vakachipisa. Vakapwanya chifananidzo chaBhaari ichocho, vakapwanya imba yaBhaari vakaiita chimbuzi kusvikira pari nhasi. Nokudaro Jehu zvaBhaari muIsiraeri akazviparadza kuti nho. Asi Jehu haana kukanda pasi zvechitadzo chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo, zvezvimhuru zvendarama zvaiva kuBhetieri nokwaDhani. Tenzi akati kuna Jehu, “Pamusana pokuti waita zvakanaka kumba yaAhabhu zvandinoda zvose zvanga zviri pamwoyo pangu, vana vako vakomana vechizvarwa chechina vachagara paumambo hwokwaIsiraeri.” Asi Jehu haana kuchenjerera kutevedza murao waTenzi, Mwari weIsiraeri nomwoyo wose. Haana kukanda pasi zvechitadzo chaJerobhoamu chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo. Pamazuva iwayo Tenzi akatangisa kutapudza nyika yeIsiraeri. Hazaeri akavakurira munyika yose zvayo yeIsiraeri, kubvira muna Jorodhani zvichienda kumabvazuva munyika yose yeGireadhi neyokwaGadhi neyokwaRubheni neyokwaManase; kubvirawo kuguta reAroero pedyo nebani romuna Arinoni zvichireva kuti Gireadhi neBhashani. Inga dzimwe nyaya dzezvaJehu nezvose zvaakaita nougamba hwake hwose zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri. Jehu akazoenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake, vakamuviga muSamaria. Jehoahazi mwanakomana wake ndiye akazotonga panzvimbo pake. Jehu akatonga vokwaIsiraeri ari muSamaria kwamakore makumi maviri namasere. Amai vaAhaziya, Ataria pavakaona kuti mwanakomana wavo afa vakasimuka vakauraya vose vokumba huru. Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu hanzvadzi yaAhaziya akatora Joashi mwanakomana waAhaziya akamusvovesera mumba mokurara iye nomureri wake pakati pavanakomana vamambo vakange voda kuurayiwa. Ndokumuhwandisa kwaakaita kuna Ataria akabva apunyuka kuurayiwa. Akava naye kwamakore matanhatu akazvihwandisa mumba yaTenzi, Ataria achitonga nyika iyi. Asi kuzoti mava mugore rechinomwe Jehoyadha akatumira shoko kuvakuru vakuru vavachengetedzi vamambo Karite nevokuchengetedza muzinda. Akavati vaunzwe kwaari kumba yaTenzi. Akaita chitsidzirano navo, akavati vapike mhiko muimba yaTenzi, akabva avaratidza mwanakomana wamambo. Akavaudza kuti, “Zvamuchaita ndezvizvi: pazvikwata zvenyu zviri zvitatu, chiye chinouya kuzoita basa musi weSabata china mapokawo acho matatu anoti boka rokuchengetedza muzinda, neboka rokuchengetedza pasuo guru reSuru, neboka rokuchengetedza kuseri kweboka rinochengetedza pasuo guru, chikwata ichochi ndicho chichachengetedza muzinda. Zvimwewo zvikwata zvenyu zviviri zvisingawanzoita basa musi weSabata zviya zvine basa rokuchengetedza imba yaTenzi vakakuta mambo ndivo vachakomberedza mambo vakapakata zvombo zvavo zvehondo. Kuwana anenge angofemera kupindira pakarongana vachengetedzi ngaaurayiwe. Kwese kunenge kuchienda mambo vanofanira kunge vainaye.” Vakuru vakuru ava vakaita sezvakanga zvanzi nomupristi Jehoyadha zviitwe. Mumwe nomumwe wavo akauya navanhu vake vakanga vasingafaniri kuva pabasa musi weSabata navaye vakanga vachifanira kuva pabasa musi weSabata vakauya kumupristi Jehoyadha. Mupristi akapa vakuru vakuru ava mapfumo nenhoo zvaiva zvamambo Dhavhidhi zvaiva zviri mumba yaTenzi. Vachengetedzi ava vakamira vakapakata zvombo zvavo zvehondo kubvira kumaodzanyemba kusvikira kuchamhembe kutenderedza atari nemba yamambo. Akabva aburitsa mwanakomana wamambo akamudzika ngundu youmambo akamupa bumbiro romutemo vakazivisa kuti ndiye mambo. Vakamuzodza mafuta vakarova makwa vachiti, “Mambo! Ngazvirambe zvakadaro.” Pakanzwa Ataria zhowezhowe revachengetedzi nerevanhu akaenda kuimba yaTenzi kuvanhu. Paakatarisa akaona, mambo amire pedyo nomusimboti maererano netsika yaifanira kuitwa, vakuru vakuru vehondo nevokuridza mabhosvo vamire namambo, vanhu vose venyika iyi vachipembera kufara, hwamanda ichidandaura. Ataria akabvarura hanzu dzake akadaidzira achiti, “Kwapandukwa! Kwapandukwa!” Mupristi Jehoyadha akaudza vakuru vakuru vaitungamirira hondo kuti, “Mubvisei mumitsetse yevachengetedzi mumuburitse, muuraye nebakatwa ani naani anenge woda kutsigirana naye.” Mupristi aiti haafanire kuurayirwa mumba yaTenzi. Nokudaro vakabata vakapfuura navo pasuo ramabhiza wokupinda nawo mumuzinda wamambo vakavaurayirapo. Jehoyadha akaitisa chitenderano pakati paTenzi namambo navanhu kuti vave vanhu vaTenzi uyewo pakati pamambo navanhu. Vanhu vose venyika iyi vakaenda kumba yaBhaari vakaipaza, neatari dzake. Zvifananidzo zvake vakazvipaza vakauraya Matani mupristi waBhaari pamberi peatari dzacho. Vapristi vaye vakabva vaisa vachengetedzi pamba paTenzi. Vakatora vakuru vakuru vehondo navachengetedzi vamambo nevokuchengetedza muzinda nevanhu vose venyika iyi ndokuunza mambo kubva kumba yaTenzi vachienda nepasuo guru revachengetedzi kusvika kumba yamambo. Akasvikogara pachigaro chake choumambo, chigaro chemadzimambo. Vanhu vose venyika iyi vakapembera kufara, muguta mukava norunyararo mushure mokunge Ataria aurayiwa nebakatwa kumuzinda wamambo. Joashi akatanga kutonga ava namakore manomwe. Mugore rechinomwe rokutonga kwaJehu, Jehoashi akatangawo kutonga. Akatonga ari muJerusaremu kwamakumi mana amakore. Zita raamai vake rainzi Zibhiya vokuBheerishebha. Jehoashi uyu akaita zvaidiwa naTenzi mazuva ose oupenyu hwake nokuti mupristi Jehoyadha ndiye aimudzidzisa. Zvakadaro zvazvo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vakaramba vachipira zvavo zvibayiro vachipisawo rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira idzodzo. Jehoashi akati kuvapristi, “Pamari yose yezvinhu zvinoera zvinofanira kuunzwa kumba yaTenzi, mari yomutero wapamunhu, mari yakatemwa pamunhu woga woga, nemari inobviswawo nomunhu sokuda kwake achiuya nayo mumba yaTenzi, vapristi ngavatore mumwe nomumwe kuna sahomwe wake vagadzire imba iyoyi panenge pachidikanwa kugadzira.” Asi gore ramakumi maviri nechitatu rokutonga kwamambo Jehoashi rakadzamara kusvika vapristi vasati vambogadzira imba yacho. Naizvozvo mambo Jehoashi akadaidza mupristi Jehoyadha navamwe vapristi akavati, “Muri kuregererei kugadzira imba yaTenzi. Saka zvino, zvokutora mari kunanasahomwe venyu chizviregai, muendese mari iyoyo kubasa rayo rokugadzira imba iyoyo.” Vapristi vakabvuma kuti zvokutora mari kuvanhu varege, ivo varegewo kugadzira imba iyoyo. Mupristi Jehoyadha akazotora zibhokisi guru akaboora buri pahwidibiro yaro. Akariisa pedyo neatari kurudyi topinda mumba yaTenzi. Vapristi vaichengetedza kumusuo, vaiisa mariri mari yose yaiunzwa mumba yaTenzi. Vaiti vakangoona kuti muzibhokisi umu mari yawanda, munyori wokwamambo nomupristi mukuru aiuya overenga vosungira mari yacho inenge yawanikwa mumba yaTenzi mututsapo. Mari yainge yayerwa vaipa vashandi vaiona nezvebasa remba yaTenzi, ivavo vaitambirisa vavezi navavaki vaiita basa pamba paTenzi, uye vokuvaka namatombo navacheki vamatombo nokutenga mapuranga nematombo akakwakwanurwa zvokugadzirisa imba yaTenzi uye nokubhadhara basa rose zvaro rokugadzira imba iyoyo. Asi havana kugadzirisa midziyo kana makomichi kana zvigero kana madhishi kana mabhosvo kunyange midziyo zvayo yendarama kana yesirivha zvomuimba yaTenzi nokuti yakapiwa vaiti vebasa vaiishandisa pakugadzira imba yaTenzi. Havaimbobvunzurudza vanhu vavainge vapa mari iyoyo yokutambirisa vanhu nokuti vakanga vari vanhu vakavimbika. Mari yemipiro yokuripa mhosva neyemipiro yokupfupira zvitadzo hayaiuyiswa mumba yaTenzi, yaiva yavapristi. Panguva iyoyo Hazaeri mambo weSiria akakwira kundorwisa guta reGati akarikurira. Asi Hazaeri paakati zvino oda kuvinga Jerusaremu, Jehoashi mambo wokwaJudha akatora mipiro yose yakanga yaturirwa kuna Mwari yezvinhu zvakatsidzirwa kupa Mwari naJehoshafati naJehoramu naAhaziya, madzibaba ake madzimambo okwaJudha pamwechete nemipiro yake yaakanga akatsidzirawo kupa Mwari uye nendarama yose yaiva mokuchengetera upfumi hwemba yaTenzi neyemumuzinda wamambo. Akatumira zvose izvozvi kuna Hazaeri mambo weSiria. Hazaeri ndokubva asiya Jerusaremu oenda zvake. Inga dzimwe nyaya dzezvaJoashi nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha. Makurukota aJoashi akamumukurira akamupandukira akamuuraya mumba iya yapachimudhuri chamavhu munzira inodzika kuSira. Jozakari mwanakomana waShimeati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeru, makurukota ake ndivo vakamuuraya akafa. Vakamuviga pamwechete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Amaziya mwanakomana wake ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore regumi nechitatu rokutonga kwaJoashi mwanakomana waAhaziya mambo wokwaJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akatangisa kutonga kwaIsiraeri kuSamaria. Akatonga kwegumi ramakore rina makore manomwe. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi akatevedzera zvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza, haana kusiyana nazvo. Tenzi akavirukira Isiraeri nehasha akaramba ovaisa mumaoko aHazaeri mambo weSiria nomumaoko aBhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri. Jehoahazi akateterera kukumbira kuna Tenzi, Tenzi akamunzwa nokuonawo kubatwa zvakaipa kwaiitwa vaIsiraeri namambo weSiria. Naizvozvo Tenzi akapa Isiraeri mununuri zvokuti vakapunyuka mumaoko avaSiria, vanhu vokwaIsiraeri vakagara mumisha yavo samazuva ose. Zvakadaro zvazvo havana kusiyana nezvitadzo zvemba yaJerobhoamu zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza, akatozvitevedzera uyewo chifananidzo chokunamata Ashera chakaramba chiri muSamaria. Chakanga chavepo ndechokuti Jehoahazi akanga angosara namakumi mashanu avachairi vemabhiza nengoro dzehondo gumi nezviuru gumi zvavarwi vetsoka nokuti mambo weSiria akanga avaparadza avawotesa seguruva repaburiro. Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoahazi nezvose zvaakaita nougamba hwake, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzemadzimambo okwaIsiraeri. Jehoahazi akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Joashi mwanakomana wake ndiye akazotonga. Mugore ramakumi matatu ane rechinomwe rokutonga kwaJoashi mambo wokwaJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatanga kutonga Isiraeri muSamaria. Akatonga kwamakore gumi namatanhatu. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza achitozvitevedzera zvake. Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoashi nezvose zvaakaita nougamba hwake pakurwa naAmaziya mambo wokwaJudha, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Jehoashi akazovata oendawo kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake. Jerobhoamu ndiye akazogara pachigaro chake choumambo. Joashi akavigwa muSamaria pamwechete namadzimambo okwaIsiraeri. Erisha paakawirwa nedenda raizomutora, Joashi mambo weIsiraeri akadzikako kwaari akasvikochema paari achiti, “Baba vangu! Baba vangu kani! Ngoro dzamabhiza dzehondo dzeIsiraeri navachairi vadzo!” Erisha akati kwaari, “Torai uta nemiseve,” iye ndokutorawo uta nemuseve. Akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Torai uta hwenyu mutatamure.” Akahutatamura. Erisha ndokuisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo akati, “Chizarurai hwindo rokumabvazuva.” Iye akarizarura. Erisha ndokuti, “Chipfurai.” Iye ndokupfuura. Erisha akabva ati, “Museve waTenzi wokununura, museve wokununura kuvaSiria! Ndinodaro nokuti mucharwisa vaSiria muAfeki kusvikira mavaparadza.” Erisha akati, “Torai miseve iyi.” Iye akaitora. Akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Rovai pasi nayo.” Iye akarova pasi nayo katatu ndokubva arega. Munhu waTenzi akamushatirirwa akati, “Mungadai matoparova kashanu kana katanhatu kese. Ndopamaizokwanisa kurova Siria kusvikira maiparadza. Asi zvino muchangorova Siria katatu chete.” Erisha akafa zvake vakamuviga. Zvikwata zvokupamba zvevaMoabhu zvaipota zvichiuya munyika umu mumwaka wepfumvunza. Zvino kwakati mumwe murume achindovigwa ndokuona hecho chikwata chokupamba. Vakangokanda murume uyu muguva raErisha akaenda akaguma mapfupa aErisha akabva amuka ndokumira chaizvo namakumbo ake. Hazaeri mambo weSiria akabata zvakaipa vokwaIsiraeri mazuva ose oupenyu hwaJehoahazi. Asi Tenzi akavaitira mwoyochena akavanzwira tsitsi akavacheuka pamusana pechitenderano chake chaakaita naAbhurahamu naIsaki naJakobho akarega kuvaparadza kunyange nazvino wese haana kumbovarasa paari iye. Pakafa Hazaeri mambo weSiria, mwanakomana wake Bhenihadhadhi ndiye akatonga panzvimbo pake. Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorera pakare Bhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta akanga atorerwa baba vake Jehoahazi muhondo. Jehoashi akamukurira rutatu akabva adzosa maguta eIsiraeri. Mugore rechipiri rokutonga kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo wokwaIsiraeri, Amaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi maviri amakore ane makore mapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jehoadhini vokuJerusaremu. Iye akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi zvisingabva zvaenzana zvazvo nezvababa wake Dhavhidhi. Zvose zvaakaita akaita samaitiro aitwa nababa vake Joashi. Asi nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vainge vachingopira zvavo zvibayiro nokupisa rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira. Umambo pahwakanga zvino hwava mumaoko ake chaizvo akauraya makurukota vanyakuuraya mambo, baba vake. Asi haana kuuraya vana vevaurayi ava sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku romutemo waMosesi panonzi naTenzi, “Madzibaba haafanire kuurayirwa mhosva dzavana vavo. Vanawo havafanire kuurayirwa mhosva dzamadzibaba avo. Munhu anofira mhosva yake iye pachake.” Akauraya vaEdhomu gumi rezviuru muBani roMunyu, akavatorera guta reSera nehondo akaritumidza zita rokuti Jokitieri raririkudaidzwa nanhasi uno. Amaziya akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu achiti, “Uya timirisane.” Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akatumawo nhume kuna Amaziya mambo wokwaJudha achiti, “Rukato rwapaRebhanoni rwakatumira nhume kumuti womusidhari wapaRebhanoni rwuchiti, ‘Rega mwanasikana wako aroorwe nomwanakomana wangu ave mukadzi wake.’ Chimwe chikara chomuRebhanoni chakapfuura nepo chikakatsikirira pasi. Wakakurira Edhomu chaizvo ukabva waita zenze. Gutsikana nomukurumbira wako iwoyo ugare pamba nokuti unodirei kuzvidenhera nhamo inokuridibura iwe pamwechete naJudha?” Asi Amaziya haana kumbozviteerera. Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akakwirako, iye naAmaziya mambo wokwaJudha vakamirisana kurwa hondo kuBhetishemeshi rokwaJudha. VokwaJudha vakakurirwa nevokwaIsiraeri munhu wose rikava bararamhanya kutizira kumusha. Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akabata Amaziya mambo wokwaJudha mwanakomana waJehoashi mwanakomana waAhaziya kuBhetishemeshi. Akaenda kuJerusaremu akapaza mbimbi yorusvingo rweJerusaremu inoita mamita mazana maviri kubvira paSuo Guru raEfuremu kusvikira pasuo guru rapaKona. Akapamba ndarama yose nesirivha nemidziyo yose yaiva mumba yaTenzi nomudzimba dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda wamambo. Akatorawo nhapwa ndokubva adzokera kuSamaria. Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoashi dzezvaakaita nougamba hwake namarwiro aakaita naAmaziya mambo wokwaJudha, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Jehoashi akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Akavigwa muSamaria pamwechete namadzimambo okwaIsiraeri. Mwanakomana wake Jerobhoamu ndiye akazotonga panzvimbo pake. Amaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha akagara makore gumi namashanu shure kwokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo wokwaIsiraeri. Inga dzimwe nyaya dzezvaAmaziya dzakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzamadzimambo okwaJudha. Vakaita bangano rokumupandukira muJerusaremu, iye akabva atizira kuRakishi. Asi vakatuma vanhu kuRakishi vakamuurayira ikoko. Vakauya naye vakamutakura namabhiza akavigwa muJerusaremu pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Vanhu vose vokwaJudha vakatora Azaria akanga ava namakore gumi namatanhatu vakamugadza umambo panzvimbo pababa wake Amaziya. Akavaka Erati akaridzosera kune vokwaJudha mushure mokunge mambo avata aendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru. Mugore regumi nechishanu rokutonga kwaAmaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi mambo wokwaIsiraeri akatangisa kutonga muSamaria. Akatonga kwamakore makumi mana negore rimwechete. Iyeyu akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Haana kumbosiyana nezvitadzo zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. Akadzosera pakare muganhu yeIsiraeri kubvira tava kuda kundopinda kuHamati kusvikira kuGungwa reArabha sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi nomuromo womuranda wake Jona, muporofita aibva kuGatiheferu mwanakomana waAmitai. Sezvo Tenzi akaona kuti nhamo yevokwaIsiraeri yakanga yanyanya chaizvo nokuti kwakanga kusisina kuti uyu muranda kana kuti uyu haasi muranda, wokununura Isiraeri pasisina. Asi Tenzi haana kumbenge ati achatsakatisa zita raIsiraeri panyika nokudaro akavanunura achishandisa Jerobhoamu mwanakomana waJoashi. Inga dzimwe nyaya dzezvaJerobhoamu nezvose zvaakaita nougamba hwake namarwiro ake nokudzosa pakare kwaakaita Dhamasikusi neHamati maguta akanga atorwa nevokwaJudha, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Jerobhoamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake namadzimambo okwaIsiraeri. Mwanakomana wake Zekariya ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri, Azariya mwanakomana waAmaziya mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. Akanga ava namakore gumi namatanhatu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu namaviri ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jekoriya vomuJerusaremu. Iyeyu akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa nababa vake Amaziya. Zvakadaro zvazvo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vainge vachingopira zvavo zvibayiro nokupisa rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira. Tenzi akarova mambo nechirwere chemaperembudzi chikaramba chakamubata kusvikira pazuva raakafa. Izvozvo ainge ongogara mumba make ari oga oga. Jotamu mwanakomana wamambo ndiye akanga abata zvomumuzinda wamambo achitonga vanhu. Inga dzimwe nyaya dzezvaAzariya nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Azariya akazovatawo oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Vakamuviga pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Jotamu ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore ramakumi matatu nechisere rokutonga kwaAzariya mambo wokwaJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu akatonga vokwaIsiraeri ari muSamaria kwemwedzi mitanhatu. Iyeyu akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakaita madzibaba ake haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. Sharumu mwanakomana waJabheshi akaronga zvokumumukira akamuponda pane vanhu akafa. Iye ndokutonga panzvimbo pake. Inga dzimwe nyaya dzezvaZekariya zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. (Ichochi ndicho chitsidzo chaTenzi chaakaita kuna Jehu achiti, “Vana vako vakomana vachagara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri kusvikira kuchizvarwa chechina,” zvikabva zvaitika saizvozvo). Sharumu mwanakomana waJabheshi akatangisa kutonga mugore ramakumi matatu nechipfumbamwe rokutonga kwaUziya mambo wokwaJudha. Akatonga kwemwedzi mumwechete ari muSamaria. Menahemu mwanakomana waGadhi akabva kuTiriza akakwira kuSamaria akaponda Sharumu mwana waJabheshi muSamaria akamuuraya ndokutonga panzvimbo pake. Inga dzimwe nyaya dzezvaSharumu nokuronga kwaakaita zvokupanduka zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri. Panguva iyoyo Menahemu akaparadza Tifusa navose vaivemo nedunhu raro, kubvira kuTiriza zvichienda mberi nokuti havana kumuzarurira guta irori ndokusaka akariparadza achitumbura madzimai aiva nepamuviri vakanga varimo. Mugore ramakumi matatu nechipfumbamwe rokutonga kwaAzaria mambo wokwaJudha, Menahemu mwanakomana waGadhi akatangisa kutonga kwaIsiraeri. Akatonga kwegumi ramakore ari muSamaria. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Pamazuva ake ose haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. Puru mambo weAsiria akauya kuzorwisa nyika iyi, ndokubva Menahemu apa Puru mari yesirivha inorema makirogiramu zviuru makumi matatu nezvina achida kuti abatsirwe kuita kuti umambo hwake hudzike midzi. Menahemu akawana mari iyoyi nokuteresa vokwaIsiraeri. Akaitora kuna vapfumi achibvisisa makumi mashanu emari yesirivha yamashekeri pamunhu, yokupa kuna mambo weAsiria. Nokudaro mambo weAsiria akadzokera zvake. Haana kuzoramba ari munyika umu. Inga dzimwe nyaya dzezvaMenahemu nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Menahemu akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Mwanakomana wake Pekahiya ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore regumi nechishanu rokutonga kwaAzariya mambo wokwaJudha, Pekahiya mwanakomana waMenahemu akatangisa kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria. Akatonga kwamakore maviri. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. Mumwe mukuru mukuru wehondo yake ainzi Peka, mwanakomana waRemariya akaronga kumupandukira navarume makumi mashanu vokwaGireadhi vakamuuraya kuSamaria mumba yokuhwanda hondo yomumuzinda wamambo, akabva ava kutonga panzvimbo pake. Inga dzimwe nyaya dzezvaPekahiya nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Mugore ramakumi mashanu nechipiri rokutonga kwaAzariya mambo wokwaJudha, Peka mwanakomana waRemariya akatanga kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria. Akatonga kwamakumi maviri amakore. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Haana kusiyana nezvitadzo zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. Pamazuva aPeka mambo wokwaIsiraeri, Tigiratipireseru mambo weAsiria akauya akakurira Iyoni neAbherobhetimaaka neJanoa neKedheshi neHazori nokwaGireadhi neGarirea nenyika yose yokwaNafutari. Akatapa vanhu ivavo akaenda navo kuAsiria. Hoshea mwanakomana waEra akaronga kupandukira Peka mwanakomana waRemariya akamuponda akamuuraya akatonga panzvimbo pake. Izvozvo raiva gore rechimakumi maviri rokutonga kwaJotamu mwanakomana waUziya. Inga dzimwe nyaya dzezvaPeka nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzemadzimambo okwaIsiraeri. Mugore rechipiri rokutonga kwaPeka, mwanakomana waRemariya, mambo wokwaIsiraeri, Jotamu mwanakomana waUziya, mambo wokwaJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki. Akaita zvakarurama, zvinodiwa naTenzi, sezvakaitwawo nababa wake Uziya. Zvakadaro zvazvo, nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vainge vachingopira zvavo zvibayiro nokupisa rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira. Akavaka Suo Guru roKumusoro repamba paTenzi. Inga dzimwe nyaya dzezvaJotamu nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Mumazuva iwayo Tenzi akatanga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemariya kuti varwise vokwaJudha. Jotamu akazovatawo oenda kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi tateguru wake. Mwanakomana wake Ahazi ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore regumi nechinomwe rokutonga kwaPeka mwanakomana waRemariya, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo wokwaJudha akavamba kutonga. Ahazi akanga ava namakore makumi maviri paakatangisa kutonga, akatonga kwamakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Haana kuita zvakarurama zvinodiwa naTenzi, Mwari wake sezvakaitwa natateguru wake Dhavhidhi asi akatevedzera gwara ramadzimambo okwaIsiraeri akatosvika pakupisa mwana wake mukomana sechibayiro, maererano netsika yakaipisisa kwazvo yaiitwa namarudzi akadzingirwa vaIsiraeri naTenzi. Akapira zvibayiro akapisa rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira napamwe pakatunhumara pasi pemiti yose minyoro. Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemariya mambo wokwaIsiraeri vakakwira kundorwisa Jerusaremu. Vakakomba Ahazi asi havana kumukurira. Panguva iyoyo Rezini mambo weSiria akatora guta reErati pakare, ndokudzinga vokwaJudha muErati. VechiSiria vakauya vakagara muErati kusvikira nhasi uno. Ahazi akama nhume kuna Tigiratipiriesa mambo weAsiria kundoti, “Ndiniwo muranda wenyu mwana wenyu. Dai mangouya zvenyu mandinunurawo mumaoko amambo weSiria nomumaoko wokwaIsiraeri vamuka kundirwisa kuno.” Ahazi akatora sirivha nendarama yaiva iri mumba yaTenzi nomudzimba dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda wamambo akatumira sechipo kuna mambo weAsiria. Mambo weAsiria akanzwa chichemo chake. Akasimuka kundorwisa guta reDhamasikusi akarikurira akatapa vanhu vaivamo akaenda navo kuKiri akauraya Rezini. Pakaenda mambo Ahazi kuDhamasikusi kundosangana naTigiratipiriesa mambo weAsiria akaona atari yaiva muDhamasikusi. Mambo Ahazi akatumira mupristi Uria purani yeatari iyoyo namamiriro ayo noudorongoshwa hwose hwezvayakaita. Mupristi Uria akavaka atari achitevedza zvaakafanotumirwa namambo Ahazi kubva kuDhamasikusi. Mupristi Uria akaita saizvozvo mambo Ahazi asati asvika kubva kuDhamasikusi. Mambo paakadzoka kuDhamasikusi akaenda kundoona atari iyi, akasvika pedyo nayo ndokukwira payakanga iri. Akapisa mupiro wake wokupisa nomupiro wake wembesanwa, akapirawo mupiro wake wokuteura ndokusasa ropa remipiro yokuwadzana paatari iyoyo. Atari yendarira yakanga iri pana Tenzi akaibvisa pamberi pemba panzvimbo yayo pakati peatari yake nemba yaTenzi. Akandoiisa kuchamhembe kweatari yake. Mambo Ahazi akarongera mupristi Uriya achiti, “Paatari huru iyi ndipo pamunofanira kupirira mupiro wamangwanani wokupisa nomupiro wamanheru wembesanwa nomupiro wokupisa wamambo nomupiro wake wembesanwa. Ndipo pamunopirawo mipiro yokupisa yavanhu vose venyika nemipiro yavo yembesenwa nemipiro yavo yokuteura. Pana iyoyi ndipo pamunosasa ropa rose rezvibayiro zvokupisa neropa rose rezvibayiro. Asi atari yendarira ndeyangu ini, ndipo pandichapota ndichinzwa kuti zvinhu zvingafambe sei.” Mupristi Uriya akaita zvose izvozvi sezvakanga zvanzi namambo Ahazi zviitwe. Mambo Ahazi akacheka ndokubvisa mapango okumisasa mitumbi yengoro, akabvisa padziri mabhavhu akabvisawo zibhavhu ziguruguru riya pahandira parakanga rakagadzikirwa. Akarigadzikira pachidzikiro chamatombo. Pamusana pamambo weAsiriya, akabvisa nzira yaiva nedenga rayo yakanga yakavakwa mumuzinda wamambo yokushandisa musi weSabata ndokubvisawo musuo wokunze wokupinda namambo mumba yaTenzi. Inga dzimwe nyaya dzezvaAhazi zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha. Ahazi akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake, akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Hezekiya ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore regumi nechipiri rokutonga kwaAhazi mambo wokwaJudha, Hoshea mwanakomana waEra akatanga kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria, akatonga kwamakore mapfumbamwe. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi zvisina kubva zvaita zvazvo sezvemadzimambo okwaIsiraeri akamutangira. Kwakauya Sharumanesa mambo weAsiria kuzomurwisa. Hoshea akabva ava kutongwa naye achitera mutero. Asi mambo weAsiria akazozviziva kuti Hoshea apanduka pamusana pokuti Hoshea akanga atumira nhume kuna So mambo weIjipiti uyewo akanga asina kubvisa mutero waaisibvisa kuna mambo weAsiria gore negore. Naizvozvo mambo weAsiria akamuzaririra mujeri akamusunga imomo. Mambo weAsiria akauya kuzorwisa nyika iyi yose. Akasvika muSamaria, akakomba Samaria kwamakore matatu. Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaHoshea, mambo weAsiria akakurira Samaria akatapa vaIsiraeri akaenda navo kuAsiria. Akandovagarisa kuHara nomuna Habhori rwizi rwokuGozani nomumaguta avaMidhi. Izvi zvakaitika pamusana pokuti vaIsiraeri vakanga vatadzira Tenzi, Mwari wavo nyakuvaburitsa kunyika yeIjipiti kwavaitongwa vari mumaoko aFarao mambo weIjipiti vakangawo voremekedza vamwe vamwari votevedzera tsika dzemarudzi aya akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi notutsika twakanga twaunzwa namadzimambo okwaIsiraeri. Vanhu vokwaIsiraeri vaiitira Tenzi Mwari wavo zvinhu zvisina kururama muchivande. Vaizvivakira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mumaguta avo ose kubvira kunharire kusvika kumaguta aiva namasvingo. Vaizvimisira zvifananidzo zvokunamata nezvimwe zvifananidzo zviAshera pazvikomo zvose zvirefu napasi pomuti wose munyoro. Munzvimbo idzodzi ndomavaipisira rusenzi sezvaingoita marudzi avakabvisirwa naTenzi. Vakaita zvakaipa kwazvo zvakavirutsa Tenzi nehasha. Vakanamata zvifananidzo zvavakanga vanzi naTenzi musaite izvozvo. Asi Tenzi akanga achiyambira vokwaIsiraeri nevokwaJudha nomuromo wavaporofita navaoni achiti, “Tendeukai musiye nzira dzenyu dzakaipa muchengete mitemo yangu nemirao yangu maererano nemirao yose yandakapa madzibaba enyu yandakakutumirai nokuvaporofita varanda vangu.” Asi havana kuteerera, vakaramba vari ndambakuudzwa samadzibaba avo vasingavimbi naTenzi, Mwari wavo. Vakashora mirao yake nechitenderano chaakaita namadzibaba avo nokuyambira kwese kwaaivaita. Vakateveredzana nezvifananidzo zvokunamata zvisina namaturo ese ivo vakabva vava vanhu vasina namaturo ese. Vakateverana namarudzi akanga akavapoteredza avakanga vanzi naTenzi musaatevedzere. Vakakanda pasi mitemo yose yaTenzi Mwari wavo vakazviumbira noutare hwakanyungurutswa zvifananidzo zvokunamata zvezvimhuru zviviri. Vakagadzirawo chifananidzo chokunamata chinonzi Ashera vakanamata gurusvusvu rezvinhu zvomudenga, vakanamatawo Bhaari. Vakapisa vana vavo vakomana navasikana sechibayiro. Vaishopera vachiromba mishonga vakazvipinza chaizvo mukuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, vachimuvirutsa nehasha. Naizvozvo Tenzi akashatirirwa kwazvo vokwaIsiraeri, akavabvisa pameso pake. Hapana vakasara kunze kwevedzinza rokwaJudha chete. VokwaJudhawo havana kuchengeta mitemo yaTenzi, Mwari wavo vakatevedzawo tutsika twakanga twaunzwa nevokwaIsiraeri. Tenzi akaramba zvizvarwa zvose zvokwaIsiraeri akavarwadzisa akavaisa mumaoko avapambi kusvikira avarasira kure nemeso ake. Paakamwaura vokwaIsiraeri achivabvisa kune vemba yaDhavhidhi ivo vakagadza Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paumambo. Jerobhoamu akatinhira vaIsiraeri kure naTenzi akavapinza muchitadzo chikuru kwazvo. Vanhu vokwaIsiraeri vakatevedzawo zvitadzo zvose zvakaitwa naJerobhoamu. Havana kusiyana nazvo kusvikira Tenzi abvisa vokwaIsiraeri pameso pake sokutaura kwaakanga aita nomuromo wavaranda vake vaporofita. Saizvozvo vokwaIsiraeri vakatapwa munyika mavo vakaendwa navo kuAsiria kusvikira pari nhasi. Mambo weAsiria akatuta vanhu vokuBhabhironi nokuKuta nokuAva nokuHamatisefarivhaimu akavaisa mumaguta eSamaria pachinzvimbo pevechiIsiraeri. Samaria vakaiita yavo vakagara mumaguta ayo. Pavakatanga kugarako havana kunge vachitya Tenzi. Naizvozvo Tenzi akavatumira shumba dzikauraya vamwe vavo. Ndokubva zvasvitswa kuna mambo weAsiria zvichinzi, “Marudzi amakatuta mukaendesa kumaguta eSamaria haazive mutemo wamwari wenyika iyoyo. Naizvozvo akavatumira shumba. Zvino dzava kuvauraya nokuti havazive mutemo wamwari wenyika iyoyo.” Mambo weAsiria akabva ati, “Tumiraiko mumwe wavapristi vamakatapa ikoko, vaendeko vagareko vavadzidzise mutemo wamwari wenyika iyoyo.” Saizvozvo mumwe wevapristi wavakanga vatapa kuSamaria akauya kuzogara muBhetieri akavadzidzisa kuti vanganamate sei Tenzi. Asi marudzi ose, rudzi norudzi vakaramba vachingogadzira vamwari vavo vachivaisa mudzimba dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzakanga dzagadzirwa nevaSamaria mumaguta mavaigara. Varume vokuBhabhironi vakagadzira mwari wavo ainzi Sukotibenoti, vokuKuti vakagadzirawo Nerigari. VokuHamati vakagadzira Ashima, vaAvha vakagadzira Nibhehazi naTaritaki. VaSefarivha vaipisira vana vavo sechibayiro kuna Adhiramereki naAnamereki vamwari vomuSefarivhaimu. Vainamatawo Tenzi vachizvisarudzira vapristi pakati pavo pavanhu vakasiyana-siyana vachivapa basa munzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira, vaiva ndivo vokuvapirira zvibayiro mudzimba dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzacho. Vainamata Tenzi ukuwo vachinamata vamwari vavo maererano netsika yerudzi rwavanhu rwekwavainge vatapwa. Kusvikira pari nhasi vachiri kungoita zvavaiita kare. Havanamate Tenzi uye havachengete mirao iya kana zvirongwa kana mitemo iya kana zvirevo zvaTenzi zvaakatemera vana vaJakobho vaakati zita ravo rinzi Isiraeri. Tenzi akaita chitenderano navo akavati, “Musambonamata zvenyu vamwe vamwari kana kuvapfugamira kana kuvashandira kunyange kuvapira zvibayiro. Asi munofanira kunamata Tenzi nyakukuburitsai munyika yeIjipiti noukuru hwake nesimba guru. Ndiye wamunofanira kunamata, ndiye wamunofanira kugwadamira nokupira zvibayiro. Muchenjerere nguva dzose kuchengeta mirao nezvirongwa nemitemo nezvirevo zvaakakunyorerai. Musanamata vamwe vamwari. Musakanganwe chitenderano chandakaita nemi. Musanamate vamwe vamwari. Asi Tenzi, Mwari wenyu ndiye wamunofanira kunamata. Iyewo achakununurai mumaoko avavengi venyu vose.” Ivo havana kuteerera, asi vakaramba vachingoita zvavaiita kare. Marudzi iwaya ainamata Tenzi ukuwo vachinamata zvifananidzo zvavo zvokugadzira. Vana vavo navana vevana vavo zvaingoitwa namadzibaba avo, ndozvavari kungoita kusvikira pari nhasi. Mugore rechitatu rokutonga kwaHoshea mwanakomana waEra mambo wokwaIsiraeri, Hezekiya mwanakomana waAhazi mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Abhi mukunda waZekariya. Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa naDhavhidhi tateguru wake. Akabvisa nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapwanya zvifananidzo zvokunamata akatemera pasi zvifananidzo zvaAshera. Akadimura-dimura nyoka yendarira iya yakanga yaumbwa naMosesi nokuti pamazuva iwayo vaIsiraeri vakanga vava kuipisira rusenzi semupiro ichinzi Nehushitani. Hezekiya aivimba naTenzi, Mwari weIsiraeri zvokuti hapana angamboenzaniswa naye pakati pamadzimambo ose okwaJudha vakatevera mushure make kana pane vakamutangira. Akaramba akati kwati naTenzi asingatsauki pakumutevera achichengeta mitemo yaTenzi yaakatemera Mosesi kuti ichengetwe. Tenzi aiva naye, kwose zvako kwaaienda aibudirira. Akaramba zvokutongwa namambo weAsiria akarega kumushandira. Akauraya vaFirisitia kusvikira kuGaza nedunhu rayo kubvira panharire kusvikira muguta rine rusvingo. Zvakazoitika kuti mugore rechina rokutonga kwamambo Hezekiya ipapo makanga muri mugore rechinomwe rokutonga kwaHoshea mambo wokwaIsiraeri mwanakomana waEra, Sharumanesa mambo weAsiria akauya kuzorwisa Samaria ndokurikomba. Kurikurira akazorikurira pakupera kwegore rechitatu muri mugore rechitanhatu rokutonga kwaHezekiya izvozvowo muri mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaHoshea mambo wokwaIsiraeri, ndopakakurirwa Samaria ipapo. Mambo weAsiria akatapa vaIsiraeri akaenda navo kuAsiria. Akandovagarisa kuHara nomuna Habhori rwizi rwokuGozani nomumaguta evaMidhi nokuti havana kuteerera zvakanga zvataurwa naTenzi, Mwari wavo, vakatyora chitenderano chake, kunyange zvose zvavakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, havana kumbozviteerera kana kuzviita. Mugore regumi nechina rokutonga kwamambo Hezekiya, Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa maguta ose okwaJudha akanga akavakirirwa netsvingo akaakurira. Hezekiya mambo wokwaJudha akatuma nhume kuna mambo weAsiria kuRakishi achiti, “Ndakatadza. Dai mukachitisiya muende zvenyu. Chamunenge mati ndiite ndinoita.” Mambo weAsiria akapa Hezekiya mambo wokwaJudha mutoro wokubvisa mari yesirivha inorema gumi rezviuru zvamakirogiramu nendarama inorema makirogiramu chiuru. Hezekiya akamupa sirivha yose yaiva mumba yaTenzi nomudzimba dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda wamambo. Panguva iyoyo Hezekiya akakwatanura ndarama yaiva pamagonhi eTemberi yaTenzi napamagwatidziro yaakanga anamirapo, akaipa kuna mambo weAsiria. Mambo weAsiria akatumira mutungamiriri mukuru wehondo yake nerimwe jinda rake guru nomutariri mukuru wezvomumuzinda make vaine hondo huru kwazvo kuna mambo Hezekiya kuJerusaremu kubva kuRakishi. Vakakwira vakasvika kuJerusaremu. Pavakasvika vakasvikomira kumugero wemvura wedziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokunhandare yomusuki wamachira. Pavaidaidza mambo, kwakabuda Eriakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda nasamunyori mukuru Shebhuna nomunyori Joa mwanakomana waAsafu. Mutariri mukuru wezvomumuzinda uya akati kwavari, “Itii kuna Hezekiya, zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, ‘Unovimba neiko?’ Unofunga kuti kutaura pamuromo apa ndiko kuronga hondo here ikoko kana kuti simba rokurwa hondo iroro? Ndiani wawava kuinzva naye zvawava kutondipandukira kudai? Zvino chinzwa, uri kuvimba norutsanga zvarwo rwakatyoka, Ijipiti, runobaya muchanza munhu anenge ada kuti agamwe narwo. Ndozvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye. “Asi kana zvako ukati kwandiri, ‘Tinovimba naTenzi, Mwari wedu,’ haasi ndiye here ane nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira neatari dzacho dzakabviswa naHezekiya achitaurira Judha neJerusaremu kuti, ‘Munofanira kunamata muri paatari iyi muJerusaremu umu.’ Mupikirane natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupeka mabhiza zviuru zviviri. Pakopo ungaawanirewo vachayiri here iwe? Kunyange akava mukuru mukuru wehondo pakati pamakurukota okupedzisira chaiwo atenzi wangu ungabva wafemera kumumhanyisawo here iwe, iwe uchidaro kutovimba neIjipiti kuti utowanawo ngoro dzehondo navachairi. Uyewo kuuya kwandaita kuzorwisa ndichiparadza nzvimbo ino, ndangouyawo here zvisina Tenzi mukati? Tenzi ndiye akanditi, ‘Vinga nyika iyoyi uiparadze.’ ” Eriakimu mwanakomana waHirikiya naShebhuna naJoa vakati kumutariri wezvomumuzinda wacho, “Dai mukataura zvenyu kwatiri isu varanda venyu nechiSiria nokuti tinochinzwa. Murege zvenyu kutaura nesu nechiJudha vanhu vari parusvingo apo vachinzwa.” Asi mutariri mukuru wezvomumuzinda uyu akavati, “Munoti tenzi wangu andituma kuzotaura izvozvi kuna tenzi wenyu nokwamuri nhai ndichirega kutaurirawo varume vagere parusvingo apo vapinda nyatwa pamwechete nemi yokudya ndove yavo nemvura yavo.” Mutariri mukuru wezvomumuzinda ndopaakasimuka kwazvo odaidzira chaizvo muchiJudha achiti, “Tererai munzwe shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria. Zvanzi namambo, regai kunyengedzwa naHezekiya nokuti haakwanise kukununurai mumaoko angu. Musarege Hezekiya achikutii muvimbe naTenzi achiti Tenzi anonyatsokununurai uye kuti guta rino harimboiswa mumaoko avaAsiria. “Musateerere Hezekia nokuti zvanzi namambo weAsiria ngatinzwananei ubude kuno kwandiri. Mukadaro mumwe nomumwe achadya muchero womugirepisi wake, munhu wose achidya michero yomuonde wake; munhu wose uchinwa mvura yomutsime rake, kusvikira ndauya kuzokutorai ndoenda nemi kunyika yakangoita senyika yenyu iyi. “Nyika yembesanwa newaini nyika yechingwa nemigirepisi nyika yemiti yemuorivhi nouchi kuitira kuti murarame murege kufa. Musateerere Hezekiya achikufurirai achiti, ‘Tenzi achatinunura.’ Pamarudzi ose pana mwari here ati ambonunura nyika yake mumaoko amambo weAsiria? ‘Ko vamwari vokuHamati nokuAripadhi varipi?’ Ko vamwari vokuSefarivhaimu novokuHena nokuIvha varipiko? Vakanunura Samaria mumaoko angu here? Pakati pavamwari vose venyika idzodzo ndivanaani vakanunura nyika dzavo mumaoko angu zvingazonzi Tenzi achanunura Jerusaremu mumaoko angu?” Asi vanhu vakati mwiro kunyarara vakarega nokumupindura kwose nokuti chirevo chamambo chaiti, “Regai kumupindura.” Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda naShebhuna samunyori mukuru nomunyori Joa mwanakomana waAsafu vakaenda kuna Hezekiya hanzu vabvarura. Vakamusvitsa zvakanga zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda. Pazvakasvika munzeve dzamambo, Hezekiya akabvarura hanzu dzake akapfeka masaga akapinda mumba yaTenzi. Akabva atuma Eriakimu mukuru mukuru womumuzinda wake naShebhuna samunyori mukuru navakuru vakuru vavapristi kumuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakapfeka masaga. Vakandomuti, “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi uno izuva rokusuruvara, zuva rokutsiurwa, zuva rokufumurwa, nokuti nguva yokuti vana vachiberekwa yasvika, asi simba rokuvasununguka hapasisina. Zvingangoitika kuti Tenzi, Mwari wenyu anzwa zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda uya atumwa natenzi wake mambo weAsiria kuzonyomba Mwari mupenyu; iye Tenzi, Mwari wenyu angadaro akatsiudza zvaanzwa izvi. Naizvozvo dai mukanamatirawo chitsama chavanhu ichi chasara.’ ” Pakasvika makurukota amambo Hezekiya kuna Isaya, Isaya akavati, “Endai mundotaurira tenzi wenyu kuti, zvanzi naTenzi, ‘Usatye zvako pamusana pomuromo wataurwa namakurukota amambo weAsiria wokundinyomba. Chiripo ndechichi ichi, ndichapinza mweya maari wokuti achangonzwa runyerekupe rwamarehwarehwa agopishinuka kudzokera kunyika kwake kwandichandomupinza murufu rwokuurayiwa nebakatwa munyika make imomo.’ ” Mutariri mukuru wezvomumuzinda uye akadzokera nokuti akanga anzwa kuti mambo weAsiria abva kuRakishi akatomuwana achirwisana neRibhuna. Mambo weAsiria paakanzwa nezvaTirihaka mambo weItiopia akanga ari munzira kuuya kuzomurwisa, akatumazve nhume kuna Hezekiya achiti: “Endai mundoti kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvanzi, ‘Usanyengedzwe naMwari wako waunovimba naye achiti, Jerusaremu haichaiswa mumaoko amambo weAsiriya. Iwe wakangozvinzwirawo woga zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose zvokunyatsodziparadza chaizvo. Ko iwe ndopaunganunurwe nhai? Ko vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzibaba angu idzi dzinoti: dzokuGozani nokuHarani neRezevhu navanhu vokuEdheni vaiva kuTeresari, vamwari vadzo vakadzinunura here? Ko mambo weHamati aripi zvino? Ko mambo weAripadhi? Ko mambo weguta reSefarivhaimu? Ko mambo weHena namambo weIvha varipi?’ ” Hezekiya akagamuchira tsamba iya mumaoko enhumwa akaiverenga akaenda nayo kumba yaTenzi ndokundoti ware ware pana Tenzi. Hezekiya akanamata kuna Tenzi achiti, “Tenzi, Mwari weIsiraeri, imi mugere pamusoro pamakerubhu. Imi moga ndimi Mwari wenyika dzose dzapasi pano pose. Ndimi makasika denga napasi. Rerekai nzeve yenyu Tenzi munzwe. Zarurai meso enyu Tenzi muone, munzwe mashoko aSenakeribhu aatumira kuzonyomba nawo Mwari mupenyu. Ichokwadi Tenzi kuti madzimambo eAsiria akaparadza marudzi nenyika dzawo. Akapisa vamwari vavo nomoto. Akadaro hongu nokuti vakanga vasiri Mwari asi kuti zvaingova zvinhu zvakagadzirwa namaoko avanhu, miti zvayo namatombo. Ndokusakaka akazviparadza. Zvino Tenzi, Mwari wedu ndateterera tinunureiwo mumaoko ake, nyika dzose dzepasi pano dzizive kuti imi Tenzi ndimi moga Mwari.” Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekiya rokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Munamato wako kwandiri nezvaSenakeribhu mambo weAsiria ndaunzwa.’ ” Zvataurwa naTenzi nezvake ndezvizvi: Iri kukushora inokuzvidza mhandara yeZioni. Ari kutozunguza zvake musoro shure kwako mukunda weJerusaremu. Wawanyomba ukatuka ipapa ndiani? Wauri kuzhambira ipapa ndiani chaizvo? Waunodzvondorera maziso uchizvikudza kudaro ndiani? Wauri kudaro ndiye Mutsvene weIsiraeri nenhumwa dzako uchitonyombaka Tenzi iwe. Uchitoti zvako: Negurusvusvu rangu rengoro dzehondo, ndakakaramata makomo ini kusvika pamusoro, nadzo ndikasvika kwakaperera Rebhanoni, miti yeko yakarebesesa yemisidhari ndikairizhanisa, miti yeko yemisaipurasi yakanakisisa ndikaitema, ndikapinda ini chaimo mukatikati mayo, chaimo mumasango ayo matema; ndikatocheramo matsime ndikanwa ini mvura imwewo. Ndakatsika ini netsoka yangu tukova twose tweIjipiti twukaoma kuti gwa. Zvaive mumwoyo mangu kwenguva ndefu hazvisati zvakusvika munzeve nhai, zvandakaronga kare kare pasichigare zvandava kutozoita zvangu iye nhasi zvokuti maguta ane tsvingo uaite mirwi yamatongo. Vagari vemo vachiti rukutu kupera simba, vakangaidzwa vazvishaira pazvo vaita sezvinhu zvinomera musango soruswiswi, souswa hunomera padenga remba hunoshwauruka kuoma husati hwambokura. Asi mugariro wako ndinouziva kwaunofamba ndinokuziva twaunobata ndinotuziva kunyange kundipunyairira kwako nehasha ndinokuziva nokuti uri kundipunyairira nehasha iwe kuzvitutumadza kwako kwasvika munzeve dzangu. Ndichaisa chikochekero changu pamhuno dzako ndichakuisa zvako matomu mukanwa ndikupishunutsire nokwakare kunzira kwawakauya nako kuno. “Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, mwaka uno zvamuchadya zvichamera zvoga, gore ramakei zvichava zvamahoko, mugore rechitatu muchadyara mukatokohwa, muchatosima zvenyu minda yemigirepisi, mukatodyawo zvenyu michero yayo. Chitsama chavanhu vokwaJudha chichasara chichadzika midzi pasi, mudenga chichibereka michero nokuti chitsama chinosara chichabuda muJerusaremu chikwata chevanopunyuka rufu chichabuda muGomo reZioni. Shungu dzina Tenzi ndidzo dzichaita izvozvi. “Naizvozvo panyaya yamambo weAsiria uyu zvanzi naTenzi: ‘Haambopinda muguta rino kana museve, haamboukanda. Hapana nhoo yaanomborivheyesera, kana kuriumbira nevhu kurusvingo chimusana chenzou kuita pokupindamo napo. Nzira yaakauya nayo yacho ndiyo yaachadzokera nayo. Kupinda muguta rino haambomupinda ndiTenzi anodaro kutaura. Ndichadzivirira guta rino ndigoriponesa. Izvozvo ndichiitira iyeni pachangu pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.’ ” Usiku ihwohwo mutumwa waTenzi akaenda akauraya vanhu zana rezviuru rine zviuru makumi masere nezvishanu. Pakafumomuka vanhu mangwanani, onei ivava vose zvangova zvitunha. Senakeribhu mambo weAsiria ndokusimuka oenda kumusha akandogara muNinevhe. Zvino akati achinamata ari mumba maNisiroki mwari wake, vanakomana vake Adhiramereki naSharezeru vakamuuraya nemapakatwa vakatizira kunyika yeArarati. Mwanakomana wake Esarihadhoni ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa zvoupenyu kwamuri hapasisina.” Ipapo Hezekiya akatendeukira kumadziro ndokunamata kuna Tenzi achiti: “Ndakutetererai zvangu Tenzi! Dai mangoyeukawo waro kuwadzana kwandakaita nemi mumafambiro angu ndakatendeseka nomwoyo wose ndichiita zvakarurama zvamunoda.” Hezekiya akaungudza achichema zvikuru kwazvo. Izvozvo Isaya akanga asati apfuura ruvanze rwepakati ndokubva izwi raTenzi rauya kwaari richiti, “Dzokera kuna Hezekiya ishe wavanhu vangu uti zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wako Dhavhidhi, ndanzwa munamato wako ndikaona misodzi yako. Chiteerera unzwe, ndichakuporesa. Pazuva retatu uchakwira kumba yaTenzi. Uye ndichawedzera upenyu hwako namakore gumi namashanu. Ndichanunura iwe neguta iro rino iri mumaoko amambo weAsiria. Ndichadzivirira guta rino iri ndichiitira ini pachangu pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.” Isaya ndokuti, “Unzai chambwa chamakuyu vachitore vachiise pamota racho kuti apore.” Hezekiya akati kuna Isaya, “Chichandiratidza kuti ndichapora chii? Uye chii chichandiratidzawo kuti ndichakwira zvangu kumba yaTenzi pazuva retatu?” Isaya ndokuti, “Chiratidzo chamunoitirwa naTenzi chamuchaziva nacho kuti Tenzi achaita zvaakuvimbisai ndechichi. Mumvuri woenda mberi here nhanho gumi kana kuti wodzokera shure nhano gumi?” Hezekiya akati, “Zviri nyore kuti mumvuri uende mberi nhanho gumi pano kuti udzokere shure nhano gumi.” Muprofita Isaya akachema kuna Tenzi akadzosera mumvuri wacho shure nhanho gumi dzawakanga wafamba pachiringazuva chiya chakavakwa naAhazi. Panguva iyoyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira nhume netsamba nechipo kuna Hezekiya nokuti akanga anzwa kuti Hezekiya akanga amborwara. Hezekiya akavagamuchira akavaratidza dzimba dzake dzose dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda hunoti sirivha nendarama netwokubikisa tunonhuwirira namafuta anokosha nezvombo zvake zvehondo nezvose zvaiva mudzimba dzake dzokuchengetera zvinhu. Chinhu chaiva mumuzinda make kana zvose zvoumambo hwake, Hezekiya hapana chaakasiya kuvaratidza. Muporofita Isaya akaenda kuna Hezekiya akati kwaari, “Ko shoko rauya navarume ava ndereyi? Vakakubvirai nepi?” Hezekiya akati, “Vabva kunyika iri kure kwazvo kuBhabhironi.” Iye akati, “Chiiko chavaona mumuzinda menyu?” Hezekiya akapindura achiti, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chandasiya kuvaratidza mudzimba dzangu dzokuchengetera zvinhu.” Isaya ndokuti kuna Hezekiya, “Chiteererai munzwe zvarehwa naTenzi. Kuchasvika mazuva okuti zvose zviri mumuzinda menyu nezvakachengetwa namadzibaba enyu kusvikira pari nhasi zvitutwe kuendwa nazvo kuBhabhironi pasina chinozosara, ndiTenzi anodaro kutaura. Vamwe vana vako vakomana vawakabereka vachatapwa vakasvikogadzirwa kuitwa vayuniki mumuzinda wamambo weBhabhironi.” Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raTenzi ramataura ishoko rakanaka, nokuti aiti hazvinei zvazvo chero kune rugare nokugadzikana kwezvinhu mumazuva angu.” Inga dzimwe nyaya dzezvaHezekiya nougamba hwake hwose nokugadzira kwaakaita dziva riya nomugero uya akaunza mvura muguta iroro, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Hezekiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake. Mwanakomana wake Manase ndiye akazotonga panzvimbo pake. Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu ana mashanu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi aHefizibha. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera tsika dzinosemesa kwazvo dzaiitwa namarudzi akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi nokuti akavakazve nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziya dzakanga dzamboparadzwa nababa wake Hezekiya. Iye akavakirawo Bhaari atari akagadzirawo chimufananidzo chokunamata chiAshera sezvakaitwawo naAhabhu mambo wokwaIsiraeri. Akapfugamirawo gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga achizvinamata. Akavakawo atari mumba yaTenzi yakanga yanzi naTenzi, “PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu.” Akavakira atari gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi. Akapisa mwana wake mukomana sechibayiro. Manase akanga apindawo mune zvokufembera namaminimini nezvoun'anga hwokududzira mashura obvunzirawo kumasvikiro nokun'anga. Akaita zvakaipa zvakanyanya kwazvo zvisingadiwi naTenzi akamuvirutsa nehasha. Chifananidzo chokuveza chokunamata chiAshera chacho chaakagadzira chiya akachimisa mumba iya yakanga yanzi naTenzi kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Pamba iyi neJerusaremu pandakasarudza mumadzinza ose eIsiraeri ndipo pandichaisa zita rangu narini wose uyewo kuti handizoita kuti tsoka yomuIsiraeri ibude kunze vadzungaire vari kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo. Ndokunge chete vachenjerera kutevedza zvose zvandakati vaite uye nezvose zviri pamutemo wavakaudzwa naMosesi muranda wangu.” Asi havana kuteerera uyewo Manase akavafurira kuita zvakaipa zvaitopfuura zvakaitwa namarudzi aye akaparadzwa naTenzi achiadzingira vanhu veIsiraeri. Tenzi akataura nomuromo wavaranda vake vaporofita kuti, “Pamusana pokuti Manase mambo wokwaJudha akaita zvinosemesa kudai achiita zvinhu zvakaipa kupinda zvaiitwa navaAmori vakamutangira kuvapo akapinza vokwaJudha mukutadza nokunamata zvifananidzo zvake izvi, naizvozvo zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, ‘Chinzwai, ndava kuzopinza Jerusaremu novokwaJudha munyatwa yokuti ani naani anoinzwa anowunga nzeve. Urefu hwemwero hwandakaranga nahwo Samaria noudzamu hwandakaranga nahwo imba yaAhabhu ndiwo mwero wandicharanga nawo Jerusaremu. Sokukokota kunoita munhu ndiro, kuikokota zvokuti anogona kuitaridza pasi, ndiko kukokotedza kwandichaita Jerusaremu. Chitsama ichochi chenhaka yavanhu vangu chakasara ndichachiti kuche mumaoko avavengi vavo vachave vokuitwa kanyama kanyama nokuva vanhu vokupambwa navavengi vavo vose. Ndinodaro nokuti vakaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi vakandivirutsa nehasha kubvira zuva rakabuda madzibaba avo muIjipiti kusvikira pari nhasi.’ ” Uyewo Manase uyu akadeura ropa rakanyanya kwazvo ravanhu vasina nemhosva yese zvokuti akazadza Jerusaremu naro kunze nokunze kuwedzera pachitadzo chaakapinza nacho vokwaJudha mukutadza vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Inga dzimwe nyaya dzaManase nezvose zvaakaita nechitadzo chaakapara, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Manase akazovatawo oenda kwakaenda vamwe, madzitateguru ake. Akavigwa mubindu romumuzinda make mubindu raUza. Mwanakomana wake Amoni ndiye akazotonga panzvimbo pake. Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore maviri ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi wokuJotibha. Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakangoita baba vake Manase. Mune zvose akatevedza nzira yakafamba nababa vake. Akanamata zvifananidzo zvainamatwa nababa vake akazvipfugamira. Akafuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba ake akarega kutevedza gwara raTenzi. Makurukota aAmoni akaita bangano rokumupandukira. Vakauraya mambo iyeyu mumuzinda make. Asi vanhu vomunyika iyi vakauraya vose ivavo vakanga vapandukira mambo Amoni. Vanhu ivavo venyika iyi vakagadza Josiya mwana wake mukomana umambo panzvimbo pake. Inga dzimwe nyaya dzezvaAmoni dzezvaakaita, dzakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Akavigwa muguva rake mubindu raUza. Mwana wake mukomana Josiya ndiye akazotonga panzvimbo pake. Josiya akanga ava namakore masere paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakumi matatu amakore ane gore rimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya wokuBhozikati. Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi. Mune zvose akatevedza gwara raDhavhidhi tateguru wake. Haana kutsaukira uku kana uku. Mugore regumi nechisere rokutonga kwamambo Josiya, mambo iyeyu akatuma samunyori mukuru Shafani mwanakomana waAzariya mwanakomana waMeshuramu kumba yaTenzi achiti, “Chienda kumupristi mukuru Hirikiya averenge mari yakaunzwa mumba yaTenzi yakaunganidzwa navachengetedzi vokumusuo yakabviswa navanhu. Ngaiiswe mumaoko evashandi vanoona nezvebasa remba yaTenzi, ivo vaitambirise vashandi vari kumba yaTenzi vari kugadzira imba iyoyo, vavezi navavaki novokuvaka namatombo nokutengawo mapuranga namatombo akakwakwanurwa kuti imba yacho igadzirwe. Asi pamari iyoyo inenge yaiswa mumaoko avo havafanire kuzobvunzurudzwa nokuti ivo vanhu vakavimbika.” Mupristi mukuru Hirikiya akati kuna samunyori mukuru Shafani, “Ndawana bhuku romutemo mumba yaTenzi!” Hirikiya akapa bhuku iroro kuna Shafani akabva ariverenga. Samunyori mukuru Shafani akaenda kundotaurira mambo achiti, “Varanda venyu vakadurura mari yaiva muTemberi vakaiisa mumaoko avashandi vanoona nezvebasa remba yaTenzi.” Munyori mukuru Shafani akataurira mambo achiti, “Hirikiya mupristi andipa bhuku.” Shafani akariverenga pana mambo. Mambo paakanzwa zvakanga zvakanyorwa mubhuku romutemo akabvarura hanzu dzake neshungu. Mambo akaudza mupristi Hirikiya naAhikamu mwanakomana waShafani naAkibhori mwanakomana waMikaya nasamunyori mukuru Shafani naAsiya gurukota ramambo kuti, “Endai mundotibvunzirawo kuna Tenzi ini navanhu, nevokwaJudha vose nezvakanyorwa mubhuku iri rakawanikwa, nokuti hasha dzaTenzi dzatakamutsirwa dzakakura, pari pamusana pokuti madzibaba edu haana kuteerera zvakanyorwa mubhuku iri kuti vaite maererano nazvose zvatakanyorerwa.” Naizvozvo mupristi Hirikiya naAhikamu naAkibhori naShafani naAsaiya vakaenda kumuporofita Huridha mudzimai waSharumu mwanakomana waTikivha mwanakomana waHarinhasi, muchengeti wezvipfeko (akanga ava kugara kurutivi rutsva rweguta reJerusaremu), vakataura naye. Akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, ‘Udza munhu akutumira kwandiri kuti, zvanzi naTenzi, chinzwai, ndichaunza nyatwa panzvimbo ino napavanhu vayo, sokunyorwa kwose kwakaitwa mubhuku rakaverengwa namambo wokwaJudha. Pamusana pokuti vakandifuratira vakapisira vamwe vamwari rusenzi, vachida kundishatirisa nezvose zvavakaita namaoko avo. Naizvozvo hasha dzangu dzichamukira nzvimbo ino dzisingazopodzwi. Asi panyaya yamambo wokwaJudha akutumai kuzobvunza kuna Tenzi, muti kwaari zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri pane zvawanzwa izvo, pamusana pokuti wakapfidza mumwoyo mako ukazvirerekawo pana Tenzi, pamakanzwa zvandakataura zvandichaita kunzvimbo ino nokuvagari vayo kuti ichava renje nenzvimbo yakarengererwa rushambwa. Wakabvarura hanzu dzako ukachema pandiri, uye Tenzi anoti, chichemo chako ndakachinzwa. Naizvozvo ndichakuendesa kwakaenda vamwe madzitateguru ako, uchapinda muguva mako norugare, uye zvakaipa zvandichaita kunzvimbo ino, iwe namaziso ako hauchazozvioni.’ ” Vakandosvitsa shoko iroro kuna mambo. Mambo akatuma shoko, vakuru vakuru vose vokwaJudha neveJerusaremu vakaungana kwaari. Mambo akakwira kumba yaTenzi navanhu vose vokwaJudha, navagari vose veJerusaremu navapristi navaporofita navanhu vose vaduku navakuru. Akavavengera vachinzwa mashoko aiva mubhuku rechitenderano rakanga rawanikwa mumba yaTenzi. Mambo akamira pedyo nomusimboti akapika mhiko pana Tenzi yokuti anozomutevera achichengeta mitemo yake, zvirevo zvake nemirao yake nemwoyo wake wose nemweya wake wose kuchengeta zvisungo zvechitenderano ichochi zvanga zvakanyorwa mubhuku irori. Vanhu vose vakatsinhira chitenderano chacho. Mambo akaudza mupristi mukuru Hirikiya navapristi vaimutevedzera paukuru navatariri vepamusuo kuti vabudise mumba yaTenzi midziyo yose yakanga yakagadzirirwa Bhaari nechimufananidzo chokunamata, chiAshera neinomirira gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga, akazvipisira kunze kweJerusaremu muminda yokuKidhironi vakaenda namadota acho kuBhetieri. Akadzinga pabasa vapristi vainamata zvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo okwaJudha kuti vapisire rusenzi munzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mumaguta okwaJudha nomunharaunda yeJerusaremu. Akadzingawo pabasa vaya vaipisira rusenzi kuna Bhaari nokuzuva nokune mwedzi nezvidzengerere zvenyenyedzi nokugurusvusvu rezvinhu zvose zviri mumatenga. Akaburitsa chifananidzo chokumiririra Ashera mumba yaTenzi akaenda nacho kunze kweJerusaremu kukakova keKidhironi akachipisira mukakova ikako keKidhironi. Akachikuya-kuya kuita dota akandomwaya dota racho pamakuva avanhuwo zvavo. Akapaza dzimba dzemhombwe dzaiitirwa basa roupombwe pakunamata kwavo mumba yaTenzi maigadzirirwa namadzimai chifananidzo chiAshera chifananidzo. Akaburitsa vapristi vacho vose kunze mumaguta okwaJudha. Akan'oresa nzvimbo dzacho dzakatunhumara dzokuteurira maimbopisirwa rusenzi navapristi kubvira kuGebha kusvikira kuBheerishebha. Akaparadzawo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzepamisuo mikuru dzaiva kwokupinda nako kusuo guru raJoshuwa mutongi weguta iroro dzakanga dziri kuruboshwe rwomunhu paanenge achipinda pasuo guru reguta iri. Zvakadaro zvazvo vapristi vepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira havana kukwira kuJerusaremu kuatari yaTenzi, asi vaitodya zvavo chingwa chisina mbiriso pachavo. Akan'oresa kwavari Tofeti nzvimbo iri mubani revanakomana vaHinomu kuitira kuti parege kuva nomunhu anozopira mwana wake mukomana kana musikana sechibayiro kuna Moreki. Akaparadza mabhiza akanga ateketererwa namadzimambo wokwaJudha kuzuva, kwokupinda nako mumba yaTenzi pedyo nemba yaNatanimereki mukuru mukuru wacho muberere, akapisa nomoto ngoro dzehondo dzezuva dzacho. Atari dzaiva padenga remba yaAhazi yapamusoro dzakanga dzagadzirwa namadzimambo okwaJudha neatari dzakanga dzakagadzirwa naManase muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi, akadzikoromorera pasi akadzipwanya-pwanya akandokanda mavhu acho mukakova keKidhironi. Mambo akan'oresa kwavari nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzaiva kumabvazuva kweJerusaremu kumaodzanyemba kwegomo roUipi dzakavakwa naSoromoni kuitira chimwe chinosemesa chainzi Ashitoreti, mwari wevaSidhoni nechimwe chinosemesa chainzi Kemoshi mwari wevaMoabhu uyewo chimwe chinosemesa chainzi Mirikomu mwari wevaAmoni. Akapwanya-pwanya zvifananidzo, zvacho zvokunamata akatemera pasi zvifananidzo zviAshera akazadza panzvimbo pazvo nemapfupa avanhu. Chimwe ndechokuti atari iya yokuBhetieri panzvimbo yakatunhumara yokuteurira yakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati nyakupinza vokwaIsiraeri mukutadza uya, atari iyoyo nenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akazvikoromorera pasi akazvipwanya-pwanya kuita mavhu. Akapisawo chifananidzo chiAshera. Josiya akacheuka akaona makuva mugomo imomo, akatumira vanhu kundotora mapfupa mumakuva iwayo. Akaapisira paatari akain'oresa maererano neshoko raTenzi rakataurwa nomunhu waMwari uya akanga afanozvitaura izvozvi. Akazoti, “Ko icho chakavakwa apo chiiko icho?” Varume vomuguta imomo vakamutaurira kuti, “Iguva romunhu waMwari akabva kwaJudha akafanozvitaura izvozvi zvamaita kuatari iyi yepaBhetieri pano.” Iye akati, “Regai akadaro. Hapana anofanira kubata-bata mapfupa ake.” Saizvozvo mapfupa ake vakangoregawo akangodaro pamwechete namapfupa omuporofita aibva kuSamaria. Dzimbawo dziya dzose dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzaiva mumaguta eSamaria dzakavakwa namadzimambo okwaIsiraeri vachivirutsa Tenzi nehasha, Josiya akadzibvisa. Akaita kwadziri zvaakanga aita zvose kuBhetieri. Akauraya vapristi vose vomunzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira vakanga vari ikoko paatari dzacho, akapisira mapfupa avanhu pamusoro padzo ndokubva adzokera kuJerusaremu. Mambo akaudza vanhu vose zvavo kuti, “Chengetai Pasika yaTenzi Mwari wenyu sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku rino reChitenderano.” Zvaivapo ndezvokuti, kubvira pamazuva evatongi vakatonga Isiraeri kana pamazuva ose emadzimambo okwaIsiraeri kunyange emadzimambo okwaJudha, hakuna Pasika yakadai yakanga yaitwa. Asi mugore regumi nechisere rokutonga kwamambo Josiya, Pasika iyoyi yakaitirwa Tenzi muJerusaremu. Chimwezve ndechokuti Josiya akabvisa masvikiro nen'anga, nevamwari vanonzi materafimu, nezvifananidzo zvokunamata, nezvose zvakaipisisa kwazvo zvakaonekwa munyika yokwaJudha nomuJerusaremu achiitira kuti zviri mumutemo zvakanyorwa mubhuku rakawanikwa mumba yaTenzi nomupristi Hirikiya zviitwe. Hakuna kumbenge kwaita mambo akaita saiyeyu akapindukira kuna Tenzi nomwoyo wake wose nomweya wake wose nesimba rake rose, aitevedza zvose zvomutemo waMosesi kunyange kuzomuka mumwe akaita saiyeyu mushure make. Kunyange zvakadaro zvazvo, Tenzi haana kupora hasha dzake dzinotyisa dzaakanga aviruka nadzo, dzaakanga avirukira nadzo vokwaJudha pamusana pokushatiriswa kwose kwaakaitwa naManase. Tenzi akati, “Ndichabvisa vokwaJudhawo pameso pangu, sokubvisa kwandakaita vokwaIsiraeri, guta iri reJerusaremu randakambosarudza nemba yacho yandakanga ndati ndiise zita rangu ndairamba.” Inga dzimwe nyaya dzezvaJosiya nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha. Mumazuva aFarao, Neko, mambo weIjipiti akakwira kuna mambo weAsiria kurwizi rweYufuratesi, Mambo Josiya akamuchingudzira. Farao Neko paakamuona akamuuraya kuMegidho. Makurukota ake akamutakura mungoro yehondo chava chitunha kuMegidho akauya naye kuJerusaremu akamuviga muguva rake. Vanhu venyika iyi vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya vakamuzodza vakamugadza umambo panzvimbo yababa vake. Joahazi akanga ava namakore makumi maviri ana matatu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremiya wokuRibhuna. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera zvose zvakaitwa namadzibaba ake. Farao Neko akamubata ari mambo kudaro muJerusaremu akandomuisa muubatwa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndokubva ateresa nyika yacho mari yesirivha inorema zviuru zvitatu zvamakirogiramu zvina makirogiramu mazana mana nendarama yairema makirogiramu makumi matatu ane mana. Farao Neko akaita Eriyakimu mwanakomana wamambo Josiya mambo panzvimbo pababa wake akamusandura zita ndokumutumidza zita rokuti Jehoyakimu. Asi akatora Joahazi akaenda naye kuIjipiti, Joahazi akafira ikoko. Jehoyakimu akapa Farao sirivha nendarama. Asi akatenge ateresa nyika kuti awane mari yokutera sezvakanga zvanzi naFarao zviitwe. Aibvisisa vanhu venyika mutero wesirivha nendarama munhu wose achibvisiswa paainge atemerwa kuti ape kuna Farao Neko. Jehoyakimu akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Zebhidha mwanasikana waBhedhaya wokuRuma. Iye akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera zvose zvakaitwa namadzibaba ake. Panguva yaJehoyakimu Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya, ndokubva Jehoyakimu ava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazodzoka omupandukira. Tenzi akamutumira zvikwata zvavaKaridhea nezvikwata zvevaSiria nezvikwata zvavaMoabhu nezvikwata zvavaAmoni. Akazvitumira kundorwisa kwaJudha kuti vaparadze sokumbotaura kwakaita Tenzi nomuromo wavaranda vake vaporofita. Izvozvi zvinofanira kunge chete zvakawira vokwaJudha ari Tenzi ainge atotema kuti zviitike kuti avabvise pameso pake pamusana pezvitadzo zvaManase maererano nezvose zvaakanga aita uye napamusana peropa risina mhosva raakadeura nokuti akanga azadza Jerusaremu neropa risina mhosva. Zvino Tenzi akaramba kuregerera izvozvi. Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoyakimu nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha. Jehoyakimu uyu akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Mwanakomana wake Jehoyakini ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mambo weIjipiti haana kuzobudazve munyika make nokuti mambo weBhabhironi akanga zvino atorera mambo weIjipiti zvose zvaaiva nazvo kubvira kukakova keIjipiti kusvikira kurwizi rwaYufuratesi. Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo. Akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani wokuJerusaremu. Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi achitevedzera zvakaitwa nababa vake. Panguva iyoyo machinda aNebhukadhineza mambo weBhabhironi akakwira kuJerusaremu akarikomba. Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akavinga guta irori, machinda ake akarikomba. Jehoyakini mambo wokwaJudha akazviisa mumaoko amambo weBhabhironi, iye naamai vake namakurukota navanakomana vake navakuru vakuru vomumuzinda make. Mambo weBhabhironi akamuita mubatwa wake mugore rechisere rokutonga kwake. Akatakura upfumi hwose hwomumba yaTenzi noupfumi hwomumuzinda wamambo. Akajajada midziyo yose yendarama yaiva mumba yaTenzi kuita zvidimbu zvidimbu. Ndiyo midziyo iya yakanga yagadzirwa naSoromoni mambo weIsiraeri sokutaura kwakanga kwaita Tenzi. Akatapa Jerusaremu yose vaiti: vana vamambo vose namagamba ose okurwa vari nhapwa dzaisvika gumi rezviuru, kwoti nyanzvi dzokugadzira zvinhu nemhizha dzoutare. Hapana akasara kusiya chete varombowo zvavo vokupedzesera chaivo vomunyika imomo. Akatakura Jehoyakini kuBhabhironi naamai vake iye mambo navakadzi vamambo namakurukota ake namadzishe omunyika iyi akavatapa muJerusaremu akaenda navo kuBhabhironi. Mambo weBhabhironi akatapa magamba ose okurwa aisvika zviuru zvinomwe nenyanzvi dzokugadzira zvinhu nemhizha dzoutare vaisvika chiuru akaenda navo kuBhabhironi. Vose ivava vaiva vanhu vakasimba vakasvikawo chaivo vaigona kurwa muhondo. Mambo weBhabhironi akaita Mataniya babamudiki waJehoyakini mambo panzvimbo pake akamusandura zita omutumidza rokuti Zedhekiya. Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo. Akatonga kwemakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremiya wokuRibhuna. Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi achitevedzera zvose zvakanga zvaitwawo naJehoyakimu. Zvakazosvitsa pokuti Tenzi abvise Jerusaremu nenyika yevokwaJudha pameso pake pamusana pokushatirwa kwaakanga aita. Zedhekiya akazopandukira mambo weBhabhironi. Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekiya mumwedzi wegumi pazuva regumi romwedzi iwoyo, Nebhukadhineza mambo weBhabhuroni akauya nehondo yake yose akakomba Jerusaremu vakatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza kuita chokupindamo nacho. Nokudaro guta rakakombwa kusvikira mugore regumi nechiposhi rokutonga kwamambo Zedhekiya. Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina wacho nzara yakabaya zvinorwadza muguta zvokuti vanhu vomunyika imomo vakanga vasisina chokudya. Kwakapazwa rusvingo muguta umu hondo yose yavarwi ikasvova nousiku nokunzira yokusuo guru pakati petsvingo mbiri pedyo nebindu ramambo vaKaridhea vakarikomba kudaro. Vakananga nokuArabha. Asi hondo yevaKaridhea yakaronda mambo ikamubatira kumapani okuJeriko. Hondo yake yose yakapararira ichimusiya, ivo vakabata mambo vakauya naye kuna mambo weBhabhironi kuRibhura akamutemera chirango chemhosva yake. Vakauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa. Vakamusvukunura maziso vakamusunga nengetani vakaenda naye kuBhabhironi. Mumwedzi wechishanu pazuva rechinomwe romwedzi iwoyo riri gore regumi nechipfumbamwe rokutonga kwamambo Nebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, gurukota ramambo weBhabhironi akauya kuJerusaremu. Akapisa imba yaTenzi nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusaremu nedzimba dzakanga dzakati kurei dzose akadzipisa. Hondo yose yevaKaridhea yakanga ino mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo yakakoromorera pasi tsvingo dzakanga dzakapoteredza Jerusaremu. Vamwe vanhu vose vakanga vasara mugutamo navakanga vapandukira kuna mambo weBhabhironi pamwechete navamwe vose voruzhinji vakanga vasara, Nebhuzaradhani akaenda navo muutapwa. Mukuru mukuru wevaichengetedza mambo akasiyawo vamwe varombowo zvavo vokupedzesera chaivo kuti vave vachengeti veminda yemigirepisi navarimi veminda. VaKaridhea vakadimura-dimura misimboti yendarira yaiva pamba paTenzi nengoro nezibhavhu ziguruguru riya zvaiva pamba yaTenzi vakatakura ndarira yacho kuBhabhironi. Vakatakura mapoto namafoshoro nezvigero nembenge dzorusenzi nemidziyo yose yendarira yokushandisa muTemberi namagwati okugokesa moto nendiro. Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, akatakura, zvendarama sendarama, zvesirivha sesirivhawo. Kana zviri zvemisimboti iye miviri nengoro dziya zvakanga zvagadzirirwa imba yaTenzi, ndarira yacho hakuzi kurema ikoko kwayaiita. Musimboti mumwechete waiva mamita masere kureba uine chepamusoro pawo chaiita mita rimwechete namasendimita makumi matatu kureba chakashongedzwa nekasefa kane zvinenge michero yamapomegiraneti zvose zviri zvendarama zvakatenderedza mbiru. Musimboti wechipiri wacho wakanga wakangoitawo zvimwechetezvo uine kasefa ikaka. Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo iyeyo akatapa mupristi mukuru Seraya nomutevedzeri wake Zefaniya navachengetedzi vatatu vokumusuo. Maguta, akatapa mumwe mukuru mukuru aimbenge ari mutungamiriri wavarwi kuhondo namachinda amambo mashanu vaiva muguta umu nasamunyori womutungamiriri wehondo aitungamirira vanhu venyika iyi. Akatapawo makumi matanhatu avarume venyika yacho vaiva mugutamo. Nebhuzaradhani mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo akaenda navo kuna mambo weBhabhironi kuRibhura. Mambo weBhabhironi akavaponda vakafa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndiko kutapwa kwakaitwa vokwaJudha vachibviswa munyika mavo. Kune vokwaJudha vakasara vasiyiwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani akasarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani kuva mutongi. Pakanzwa vakuru vakuru vose vezvikwata zvehondo navarwi vavo kuti mambo weBhabhironi akasarudza Gedhariya kuva mutongi, vakauya kuna Gedhariya kuMizipa. Kwaiti Ishimaeri mwanakomana waNetaniya naJohanani mwanakomana waKarea, kwoti Seraya mwanakomana waTanihumeti wokuNetofa naJaazaniya mumwe murume wechizvarwa chokwaMaaka. Gedhariya akatsidzira ivo navarwi vavo kuti, “Musatye zvenyu vakuru vakuru vechiKaridhea ava. Chenyu imi kugara munyika muno muchishandira zvenyu mambo weBhabhironi zvichakunakirai.” Asi mumwedzi wechinomwe, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama wokumba huru akauya negumi ravarume vakauraya Gedhariya navaJudha navaKaridhea vaakanga anavo muMizipa. Ipapo vanhu vose vakuru navadiki navakuru vakuru vezvikwata zvehondo vakasimuka vakaenda kuIjipiti nokuti vaitya vaKaridhea. Mugore ramakumi matatu nechinomwe routapwa hwaJehoyakini mambo wokwaJudha mumwedzi wegumi nechipiri pazuva remakumi maviri nechinomwe romwedzi iwoyo, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi mugore raakatangisa kutonga akaita mwoyochena wokuburitsa Jehoyakini mujeri. Akataura naye zvakanaka akamupa chigaro chapamusoro kupinda madzimambo aaiva nawo muBhabhironi. Naizvozvo Jehoyakini akabvisa hanzu dzake dzousungwa. Mazuva ose oupenyu hwake akazenge ava kudya namambo pateburu nguva dzose. Panyaya yezvaaifanira kutambiriswa, aitambiriswa mugove wezvinobva kwamambo nguva dzose, mugove pazuva, upenyu hwake hwose. Zitateguru ndiAdhamu kwouya Seti kwoti Enoshi kwotiwo Kenani kwouya Mahararieri kwouyawo Jaredhi kwozouya Enoki tevere Metusharaki kwozotiwo Rameki, kwozoti Nowa: kwouya Shemu naHamu naJafeti. Vana vaJafeti vakomana ndiGomeri naMagogu naMadhai naJavhani naTubhari naMesheki naTirasi. Vana vaGomeri: vakomana ndiAshikenazi naRifati naTogarima. Vana vaJavhani: vakomana ndiErisha naTarishishi naKitimu naDhodhanimu. Vanakomana vaHamu: ndiKushi naIjipiti naPuti naKanani. Vana vaKushi: vakomana ndiSebha naHavhira naSabhuta naRama naSabhuteka. Vana vaRaama: vakomana ndiShebha naDhedhani. Kushi ndiye baba: waNimurodhi uya akava mambo wokutanga pasi pano. Ijipiti: ndivo baba vaRudhimu naAnamimu naRehabhimu kwouya Nafutuhimu naPatirusimu naKasiruhimu (tateguru kwakabva vaFirisitia) kwozouya Kafutorimu. Kanani: akabereka Sidhoni dangwe rake naHeti, ndivo tateguru wavaJebhusi navaAmori navaGirigashi, kwoti wavaHivhi nevaAriki navaSini, kwozoti vaArivhadhi navaZemari navaHamati. Vana vokwaShemu: vakomana ndiEramu naAshuri naAripakishadhi naRudhi naAramu vanakomana vaAramu ndiUzi naHuru naGeteri naMesheki. Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheru. Ebheru akabereka vana vakomana vaviri: mumwe ndiPeregi (nokuti panguva yake nyika yakanga yakamuraniswa.) Munun'una wake ainzi Jokitani. Jokitani akabereka: Arimodhadhi naSherefu naHazimavheti naJera, kwozouya Hadhoramu naUzari naDhikira naEbhari naAbhimaeri naShebha kwozouya Ofiri naHavhira naJobhabhu. Vose ivava ndivo vanakomana vaJokitani. Kwaiva naShemu kwouya Aripakishadhi kwoti Shera kwouyawo Ebheru kwozouya Peregi kwoti Reu kwozoti Serugi kwouya Nahori kwozouya Tera kwozoti Abhuramu ndiye Abhurahamu iyeye. Vanakomana vaAbhurahamu ndiIsaki naIshimaeri. Zvizvarwa zvavo ivava ndezvizvi: Dangwe rechikomana raIshimaeri ndiNebhayoti tevere Kedhari naAdhibhieri naMibhusamu, kwouya Mishima naDhuma naMasa naHadhadhi naTema, kwoti Jeturi naNafishi naKedhima. Ivava ndivo vanakomana vaIshimaeri. Vanakomana vaKetura: mumwe mukadzi waAbhurahamu akabereka Zimurani naJokishani naMedhani naMidhiani naIshibhaki naShua. Vanakomana vaJokishani ndiShebha naDhedhani. Vanakomana vaMidhiani: ndiEfa naEferu naHanoki naAbhita naEridhaa. Vose ivava zvizukuru zvokwaKetura. Abhurahamu: ndiye baba waIsaki. Vanakomana vaIsaki: ndiEsau naIsiraeri. Vanakomana vaEsau: ndiErifazi naRueri naJeushi naJairamu naKora. Vanakomana vaErifazi: ndiTemani naOmari naZefi naGatamu naKenazi naTimuna naAmareki. Vanakomana vaReueri: ndiNahati naZera naShama naMiza. Vanakomana vaSeiri: ndiRotani naShobharu naZibheoni naAna naDhishoni naEzeru naDhishani. Vanakomana vaRotani: ndiHori naHomamu. Hanzvadzi yaRotani ndiTimuna. Vanakomana vaShobharu: ndiAriani naManahati naEbharu naShefi naOnamu. Vanakomana vaZibheoni: ndiAya naAna. Vanakomana vaAna ndiDhishoni. Vanakomana vaDhishoni ndiHamurani naEshibhani naItirani naKerani. Vanakomana vaEzeru: ndiBhirihani naZaavhani naJaakani. Vanakomana vaDhishani ndiUzi naArani. Kusati kwambova zvako namambo wokutonga vaIsiraeri, madzimambo akatonga munyika yeEdhomu ndeaya: kwaiti Bhera mwanakomana waBheori. Muzinda wake waiva guta reDhinihabha. Bhera paakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera wokuBhozira ndiye akatonga panzvimbo pake. Pakafa Jobhabhu, Hushamu wokudunhu revokwaTemani ndiye akatonga panzvimbo pake. Pakafawo Hushamu, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi akakurira vaMidhiani vaya kunyika yeMoabhu ndiye akatonga panzvimbo pake. Zita reguta rake rainzi Avhiti. Hadhadhi paakafa, Samira wokuMasireka ndiye akatonga panzvimbo pake. Pakafa Samira, Shauro weRehobhoti kuna Yufuratesi ndiye akatonga panzvimbo pake. Shauro paakafa, Bhaarihanani mwanakomana waAkori ndiye akatonga panzvimbo pake. Pakafawo Bhaarihanani, Hadhadhi ndiye akatonga panzvimbo pake. Zita reguta rake rainzi Pai. Zita romudzimai wake rainzi Mehetabhieri aberekwa naMatiredhi mwanasikana waMezahabhu. Hadhadhi akazofa. Madzishe okuEdhomu: ndishe Timuna naAriya naJeteti naOhoribhama naEra naPinoni, kwouya Kenazi naTemani naMibhuzari kwozouya Magidhieri naIramu. Ivava ava ndivo madzishe okuEdhomu. Vana vakomana vaIsiraeri ndiRubheni naSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naZebhuruni, kwouya Dhani naJosefi naBhenjamini naNafutari naGadhi naAsheri. Vanakomana vaJudha ndiEru naOnani naShera. Ivava vatatu kudaro ndovavakaberekerwa naBhatishua mukadzi wechiKanani. Asi pana Tenzi, Eru aiva munhu akanga akaipa mwoyo nezvo Tenzi akamuuraya. Judha akaberekawo nomuroora wake vana vanoti Feresi naZera. Vana vaJudha ava vakomana, vose pamwechete vashanu. Vana vakomana vaPeresi: ndiHezironi naHamuri. Vanakomana vaZera: ndiZimuri naEtamu naHemani naKarikoru naDhara, vose pamwechete vashanu. Vana vakomana vaKarumi: ndiAkari wokuparira Isiraeri nhamo uya nyakuita chitadzo panyaya yezvinhu zvakanga zvaturirwa kuparadzirwa Mwari sechipo. Vanakomana vaEtani: ndiAzariya. Vanakomana vakaberekwa naHezironi ndiJerahimieri naRamu naKerubhai. Ramu ndiye baba: waAminadhabhu. Aminadhabhu ndiye baba waNahishoni jinda rezvizvarwa zvokwaJudha. Nahishoni ndiye baba waSarima, Sarima ariye baba waBhoazi. Bhoazi akabereka Obhedhi, Obhedhi akabereka Jese. Jese akabereka dangwe rake Eriyabhu wechipiri ari Abhinadhabhu wechitatu ari Shimea, Natanieri ndiye wechina Radhai ari wechishanu, Ozemu ariwo wechitanhatu Dhavhidhi ari iye wechinomwe. Hanzvadzi dzavo ndiZeruya naAbhigairi. Vanakomana vaZeruya ndiAbhishai naJoabhu naAsaheri vari vatatu kudaro. Abhigairi akabereka Amasa. Baba vaAmasa uyu ndiJeteru wechiIshimaeri. Karebhu mwanakomana waHezironi: akabereka vana vakomana nomukadzi wake ainzi Azubha nomumwe mukadzi wake ainzi Jerioti. Vana vacho ndiJesheru naShobhabhu naAridhoni. Pakafa Azubha, Karebhu akaroora Efurati akamuberekera Huru. Huru ndiye baba waUri. Uri ndiye baba waBhezarieri. Mushure maizvozvi, Hezironi akapinda mumba nomwanasikana waMakiri waakaroora ava namakore makumi matanhatu. Iye akamuberekera Segubhu. Segubhu aiva baba waJairi, uya aiva namaguta makumi maviri namatatu mudunhu reGireadhi. Asi Geshuri naAramu vakavatorera Havhotijairi neKenati nemisha yaro maguta makumi matanhatu. Vose ivava zvaiva zvizvarwa zvokwaMakiri baba waGireadhi. Mushure mokufa kwaHezironi, Karebhu akapinda mumba nomudzimai wababa vake akamuberekera Ashihuru baba waTekoa. Vanakomana vaJerahimieri dangwe raHezironi ndavava: dangwe rake ndiBhuna kwouya Oreni naOzemu naAhiya. Jerahimieri uyu aiva nomumwewo mukadzi ainzi Atara ndiye amai vaOnamu. Vana vakomana vaRamu dangwe raJerahimieri ndiMaazi naJamini naEkeri. Vana vaOnamu: vakomana ndiShamai naJadha. Vanakomana vaShamai ndiNadhabhu naAbhishuru. Zita romudzimai waAbhishuru ndiAbhikairi, akamuberekera Ahibhani naMoridhi. Vana vakomana vaNadhabhu: ndiSeredhi naApaimu. Seredhi akafa asina mwana. Vanakomana vaApaimu: ndiIshi. Vanawo vakomana vaIhi ndiSheshani. Vanakomanawo vaSheshani ndiAhirayi. Vanakomana vaJadha: mukoma nomunun'una naShama ndavava vana Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina mwana. Vana vaJonatani: vakomana ndiPereti naZaza. Ivava ndivo zvizvarwa zvokwaJerahimueri. Zvino Sheshani akanga asina vana vakomana asi vanasikana chete. Asi Sheshani uyu aiva nomuranda wake wechiIjipiti ainzi Jariha. Sheshani akaroodza mumwe mwanasikana wake kuna Jariha muranda wake. Iye akamuberekera Atai. Atai: ndiye abereka Natani baba waZabhadhi. Zabhadhi uyu ndiye aberekawo Efurari baba waObhedhi, Obhedhi ndiye azoberekawo Jehu baba waAzariya. Azariya akazoberekawo Herezi, Herezi akaberekawo Eriyasa. Eriyasa ndiye abereka Sisimai baba waSharumu. Sharumu akaberekawo Jekaniya baba waErishama. Vanakomana vaKarebhu mukoma nomunun'una naJerahimieri ndavava: dangwe rake ndiMesha baba waZifu. Vanakomana vaMesha ndibaba waHebhuroni. Vanakomana vaHebhuroni: ndiKora naTapua naRekemu naShema. Shema ndiye abereka Rahamu, baba waJorikeamu. Rekemu ndiye baba waShamai. Vanakomana vaShamai ndiMaoni, baba waBhetizuru. Uyewo Efa murongo waKarebhu: akabereka Harani naMoza naGazezi. Harani ndiye baba waGazezi. Vanakomana vaJaidhai: ndavava ava vana Regemu naJotamu naGeshani naPereti naEfa naShaafu. Maaka murongo waKarebhu: ndiye akabereka Shebheru naTirihana. Akaberekawo Shaafu baba waMadhimana naShebha baba waMakibhena nababa waGibhea. Mwanasikana waKarebhu ndiAkisa. Izvozvi izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaKarebhu. Vanakomana vaHuru: dangwe raEfurati ndiShobhari baba waKiriatijearimu naSarima baba waBheterehemu: naHerefu baba waBhetijadheru. Shobhari baba waKiriatijearimu vaiva navamwe vanakomana vokwaHaroe chikamu chevokwaMenuhoti. Mhuri dzokwaKiriatijearimu ndedzidzi idzi, kunoti vokwaItira nevokwaPuti nevokwaShumati nevokwaMishira kwakabva vokwaZorati nevokwaEshitaori. Vanakomana vaSarima: ndiBheterehemu nevokwaNetofati naAtirotibhetijoabhu nechikamu chevokwaManahati vechiZora. Mhuriwo dzavanyori vaiva vagari vokuJabhezi ndedzidzi idzi, kunoti vokwaTirati nevokwaShimeati nevokwaSukati. Ivava ndivo vaKani vokwaHamati tateguru wemba yokwaRekabhu. Vanakomana vaDhavhidhi: vakaberekerwa kuHebhuroni ndeava. Wokutanga wacho ndiAmunoni waakabereka nomukadzi wake vaAhinoamu vokuJezirieri wechipiri ari Dhanieri waakabereka naAbhigairi vokuKarimeri wechitatuwo ari Abhusharomu, amai vake uyu ainzi Maaka mukunda waTarimai mambo weGeshuri. Wechina ndiAdhoniya amai vake ari Hagiti. Wechishanu ndiShefatiya waakabereka naAbhitari wechitanhatu ari Itireamu waakabereka nomukadzi wake Egira. Vatanhatu ava akavaberekera kuHebhuroni kwaakatonga ari kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu. Akazotonga kwamakore makumi matatu namatatu ari muJerusaremu. Vanakomana vaakazoberekerwa muJerusaremu ndevava: kunoti Shemea naShobhabhu naNatani naSoromoni vari vana kudai vaakaberekerwa naBhatishua mwanasikana waAmieri, kwoti Ibhari naErishama naErifereti, kwouya Noga naNefegi naJafiya kwouyawo Erishama naEridha naErifereti pamwechete vapfumbamwe. Vose ivava ndivo vana vaDhavhidhi vakomana tisingaverenge vanakomana vevarongo. Tamari ndiye hanzvadzi yavo. Mwanakomana waSoromoni ndiRehobhoamu waRehobhoamu ndiAbhiya waAbhiya ndiAsa waAsa ndiJehoshafati. Mwanakomana waJehoshafati ndiJoramu waJoramu ndiAhaziya waAhaziya ndiJoashi. Mwanakomanawo waJoashi ndiAmaziya waAmaziya ndiAzariya waAzariya ndiJotamu. Mwanakomana waJotamu ndiAhazi waAhazi ndiHezekiya waHezekiya ndiManase. Mwanakomana waManase ndiAmoni waAmoni ndiJosiya. Vanakomana vokwaJosiya ndavava: dangwe rake ndiJohanani wechipiri ndiJehoyakimu wechitatu ndiZedhekiya wechina ndiSharumu. Vanakomana vokwaJehoyakimu ndovava ava: mwana wake Jekoniya waJekoniya ndiZedhekiya. Vanakomana vokwaJekoniya nyakutapwa uya ndavava: paiti, mwana wake Shearitieri kwouya Marikiramu naPedhaya naShenazari naJekaniya naHoshama naNedhabhiya. Vanakomana vokwaPedhaya: ndiZerubhabheru naShimei. Vanakomana vokwaZerubhabheru ndiMeshuramu naHananiya, Sheromuti ndiyo hanzvadzi yavo kwouyawo Hashubha naOheri naBherikiya naHasadhiya naJushabhihesedhi vari vashanu kudaro. Vanakomana vaVaHananiya: ndiPeratiya, waPeratiya ndiJeshaya waJeshaya ndiRefaya waRefaya ndiArinani waArinani ndiObhadhiya waObhadhiya ndiShekaniya. Vanakomana vokwaShekaniya: ndiShemiya. Vana vaShemiya vakomana ndiHatushi naIgari naBhariya naNeariya naShafati vari vatanhatu. Vanakomana vokwaNeariya: ndiErioenai naHizikiya naAzirikamu pautatu hwavo. Vanawo vakomana vokwaErioenai: ndiHodhavhiya naEriyashibhu naPeraya naAkubhu naJohanani naDheraya naAnani vari vanomwe kudaro. Vanakomana vaJudha: ndiPerezi naHezironi naKarumi naHuru naShobhabhu. Reaya mwanakomana waShobharu: akabereka Jahati baba waAhumai naRahadhi. Ivava ndidzo mhuri dzokwaZora. Vana vakomana vaEtamu: ndaava vanoti; Jezirieri naIshima naIdhibhashi. Zita rehanzvadzi yavo ndiHazireriponi. Penueri ndiye baba waGedhori, Ezeru ariye baba waHusha. Ivava ava ndizvo zvizvarwa zvokwaHuru dangwe raEfurata baba waBheterehemu. Ashuru baba waTekoa: vaiva nebarika ravakadzi vaviri, mumwe ainzi Hera mumwe achinzi Naara. Naara akamuberekera: Ahuzamu naHefa naTemeni naHaahashitari. Ivava ndivo vaiva vana vaNaara. Vanakomana vaHera: ndiZereti naIzihari naEtinanai. Kozi ndiye baba vaAnubhu naZobhebha nemhuri dzokwaAhariheri mwanakomana waHarumu. Jabhezi uyu aiva munhu anoremekedzwa kwazvo navakoma navanun'una vake. Amai vake vakamutumidza zita rokuti Jabhezi vachiti pakumubereka ndakaona nhamo. Jabhezi akanamata Mwari weIsiraeri achiti: “Dai mandikomborerawo zvenyu nyika yangu muikudze-kudzewo ruoko rwenyu rurambe ruchindisesedza, mundidzivirirewo kune zvakaipa kuti zvirege kundikuvadza.” Mwari akamuitira zvaakakumbira. Kerubhu mukoma nomunun'una naShuha ndiye akabereka Mehiri baba waEshitoni. Eshitoni ndiye baba waBhetirafa naPasea naTehina uya baba waIrinahashi. Ivava ava ndivo vanhu vokuReka. Vanakomana vaKenazi: ndiOtinieri naSeraya. Vana vaOtinieri vakomana ndiHatati kwouya Meonotai baba waOfura. Seraya ndiye abereka Joabhu baba wevokwaGeharashimu vainzarwo nokuti vaiva mhizha. Vanakomana vaKerebhu mwanakomana waJefune: ndiIru naEra naNaamu. Vanawo vaEra vakomana ndiKenazi. Vana vakomana vaJeharerieri: ndiZifu naZifa naTiria naAsareri. Vanakomana vaEzira: ndiJeteru naMeredhi naEferu naJaroni. Ivava ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao akaroorwa naMeredhi. Akavawo napamuviri akabereka Miriamu naShamai naIshibha baba waEshitemoa. Mudzimai wake wechiJudha, akamuberekera Jeredhi baba waGedhori kwouya Hebheru baba waSoko kwouyawo Jekutieri baba waZanoa. Vanakomana vaHodhiya nomudzimai wake uya hanzvadzi yaNahamu ndivo madzibaba aKeira wokuGarima naEshitemoa wokwaMaaka. Vana vakomana vaShimoni ndiAmunoni naRina naBhenihanani naTironi. Vanawo vaIshi vakomana ndiZoheti naBhenizoheti. Vanakomana vaShera, mwanakomana waJudha: ndevava ava kunoti Eru baba waReka, kwouya Raadha baba waMaresha, kwouyawo mhuri dziya dzemba yevagadziri vemicheka yerineni vokuBhetiashibhea kwozouya Jokimu navanhu vokwaKozebha naJoashi naSarafu akandoita mukuwasha wevaMoabhu akazodzokera kuRakemu (Nyaya dzachowo idzi ndedzakarekare kwazvo). Ivava ava ndivo vaumbi vehari nevagari vokuNetaimu neGedhera. Vaigarako pamwechete namambo vari vokumushandira. Vanakomana vaSimeoni: ndiNemueri naJamini naJaribhu naZera naShauru. Mwanakomana waShauru ndiSharumu, waSharumu ndiMibhishamu, waMibhishamu ndiMishima. Vanakomana vaMishima ndiHamueri, waHamueri ndiZakuri, waZakuri ndiShimei. Shimei akanga ana vanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu. Asi vakoma navanun'una vake vakanga vasina vana vakawanda kunyangova mhuri yake yose haina kuwanda sevana vokwaJudha. Vaigara kuBheerishebha nokuMoradha nokuHazarishuaru nokuBhiriha nokuEzemu nokuTorati nokuBhetieri nokuHoruma nokuZikiragi nokuBhetimarikabhoti nokuHazarisuzimu nokuBhetibhiri nokuShaaraimu. Iwayo ndiwo aiva maguta avo kusvikira kutonga kwaDhavhidhi. Misha yavo yaiva iyi inoti Etamu neAini neRimoni neTokeni neAshani ari maguta, mashanu kudaro nemisha yakanga yakapoteredza maguta iwayo kusvikira kuBhaari, imomo ndomavaigara. Mamiriro akaita mhuri dzavo ndeaya aya: kuna Meshobha naJamureki naJosha mwanakomana waAmaziya kwouya Joeri naJehu. Mwanakomana waJehu ndiJoshibhiya, waJoshibhiya ndiSeraya waSerayawo ndiAsieri kwozouya Erioenai naJoakobha naJeshohaya naAsaya naAdhieri naJesimeri naBhenaya kwoti Ziza aberekwa naShifi mwanakomana waAroni aberekwa naJedhaya mwanakomana waShimiri aberekwa naShemaya. Ivava ava vadai kudomwa namazita vaiva madzishe mudzimhuri dzavo mudzimba dzamadzibaba avo mukawandwawo chaizvo. Vakatamira kwokunge tava kuda kundosvika kuGedhori kumabvazuva kwebani kundotsvaka mafuro ezvipfuwo zvavo. Ikoko vakawana mafuro chaiwo akanaka kwazvo, nyika iri huru ichisvika zvayo uko nokokoko kwakati zi-i kuine runyararo pamusana pokuti ndokwainge kugere vokwaHamu. Ivava vakadai kunyorwa namazita, vakasvikako mumazuva aHezekiya mambo wokwaJudha vakaparadza misha yavo pamwechete nevaMenuimu vainge varikowo. Vakavatsakatisa sezvazviri pari nhasi, panzvimbo pavo ivo vakabva vaita misha yavo nokuti kwaiva namafuro ezvipfuwo zvavo. Mazana mashanu evamwe varume vokwaSimeoni vakaenda kuGomo reSeiri vachitungamirirwa naPeratiya naNeariya naRefaya naUzieri vanakomana vaIshi. Vakaparadza marimbirimbi evokwaAmareki vakanga vapunyuka. Zvino vagere ikoko nanhasi uno. Zvino ndopouyawo vanakomana vaRubheni dangwe raIsiraeri nokuti iye ndiye dangwe asi pari pamusana pokuti akan'oresa pairara baba vake udangwe hwake hwakapiwa vanakomana vaJosefi mwanakomana waIsiraeri. Nokudaro zita rake harisi kudomwa panzvimbo paro pakuberekwa kwake sedangwe. Kunyange zvazvo Judha ariye akazova nesimba chaizvo pakati pavakoma navanun'una vake maari mukatova ndimo makabuda mambo. Zvakadaro zvazvo udangwe ndohwaJosefi. Vanakomana vaRubheni mwana waIsiraeri ndiHanoki naParu naHezironi naKarumi. Vana vakomana vokwaJoeri: ndiShemaya waShemaya ndiGogu waGogu ndiShimei mwanakomana waShimei ndiMika waMika ndiReaya waReaya ndiBhaari waBhaari ndiBheera. Iyeyu ndiye nyakutapwa naTigiratipiriesari mambo weAsiria akaenda naye kuutapwa. Akanga ari mumwe wamadzishe okwaRubheni. Hama dzake dzokune dzimwe dzimba pazvizvarwa zvavo dzakanga dzakamira dzakadai izvi: kunoti ishe Jeieri naZakariya naBhera aberekwa naAzazi mwanakomana waShema aberekwa naJoeri, vagari vokuAroeri kusvikira kuNebho nokuBhaarimeoni. Vaigarawo kumabvazuva uku tava kusvika kurenje mhiri ino yaYufuratesi pamusana pokuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda munyika yeGireadhi. Mumazuva aSauro vakarwiswa nehondo, vechiHagiri ndokuvarakatisa kuuraya ndokubva vaita misha mumisha yavo mudunhu rose rokumabvazuva kweGireadhi. Vanakomana vokwaGadhi vaigara pakatarisana navo munyika yeBhashani kusvikira kuSareka: Joeri ndiye aiva changamire achitevedzerwa naShafamu kwouya Janai naShafati muBhashani. Hama dzavo imba nemba ndevava ava: kunoti Mikaeri naMeshuramu naShebha naJorai naJakana naZiya naEbheri, vari vanomwe kudaro. Ivava ndivo vanakomana vokwaAbhihairi: mwana waHuru aberekwa naJaroya mwanakomana waGireadhi ari mwanakomana waMikaeri mwanakomana Jeshishai aberekwa naJadho mwanakomana waBhuzi. Ahi mwanakomana waBhidhieri mwana waGuni akanga ari mutungamiri wedzimhuri dzemba yokwake. Vaigara kuGireadhi nokuBhashani nemaguta awo nomumafuro ose eSharoni kusvika kwaanoperera. Vose ivava vakanyorwa nokuberekwa kwavo panguva yaJotamu mambo wokwaJudha napanguva yaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri. VokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevokwaManase vaiva namagamba chaiwo avarume venhoo namapakatwa nevaigona kukanda miseve nyanzvi dzokurwa hondo vaiva vari zviuru zvina zvine mazana manomwe namakumi matanhatu. Vakandorwisa vokwaHagiri novokwaJeturi nevokwaNapishi nevokwaNodhabhu. Pavakabatsirwa kuvarwisa vakabvawo vakurira vaHagiri navose vavakanga vanavo nokuti mukurwa kwavo ikoku vakanga vachema kuna Mwari nokuti vaivimba naye. Vakavatorera zvipfuwo zvavo zvaiti zviuru makumi mashanu zvengamera dzavo kwouya hwai mazana maviri ezviuru ane zviuru makumi mashanu, kwouyawo zviuru zviviri zvamadhongi, kwozoti zana rechiuru chavanhu vavakatapa vari vapenyu sezvo ruzhinji rwavo rwakanga rwarakatiswa kufa nokuti hondo yacho yakanga iri hondo yaMwari. Vakagara munyika yaivavo kusvikira pakatapwa vanhu. Chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase vaigara munyika umu kubvira kuBhashani kusvikira kuBhaariherimoni nokuSeniri nokuGomo reHerimoni, vakanga vakawanda kwazvo. Vatungamiriri vomudzimhuri dzemba yokwavo ndevava ava: Kunoti Eferu naIshi naErieri naAzirieri naJeremiya naHodhavhiya naJadhieri. Ivava vaiva magamba chaiwo okurwa vari vanhu vane mukurumbira vari vatungamiriri vomudzimhuri dzemba yokwavo. Asi vakatadzira Mwari wamadzibaba avo vachiita unzenza hwokuteveredza kunamata vamwari vechirudzi venyika iyi vaye vavakaparadzirwa naMwari. Naizvozvo Mwari weIsiraeri akapinza mweya muna Puru mambo weAsiria nomuna Tigiratipiriesari mambo weAsiria wokuti atape vokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevokwaManase akavaendesa kuHara nokuHabhori nokuHara nokurwizi rweGozani kusvikira pari nhasi. Vanakomana vaRevhi: ndiGerishoni naKohati naMerari. Vana vakomana vaKohati: ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri. Vanawo vaAmuramu: ndiAroni naMosesi naMiriamu. Vanakomana vaAroni: ndavanaNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. Ereazari ndiye baba waFinehasi, Finehasi ndibaba waAbhishua, Abhishua abereka Bhuki, Bhuki azobereka Uzi, Uzi ndiye baba waZerahiya. Zerahiya ndibaba waMeraioti, Meraioti vari baba waAmariya, Amariya abereka Ahitubhu. Ahitubhu akaberekawo Zadhoki Zadhoki ari baba waAhimaazi, Ahimaazi ari baba waAzariya. Azariya ndibaba waJohanani, Johanani ndiye baba waAzariya. Iye Azariya uyu ndiye uya aiva mupristi muTemberi iya yakavakwa naSoromoni muJerusaremu. Azariya ndiye baba waAmariya. Amariya akabereka Ahitabhu, Ahitubhu akazobereka Zadhoki, Zadhoki akazobereka Sharumu, Sharumu akabereka Hirikiya, Hirikiya akazobereka Azariya. Azariya ndibaba waSeraya, Seraya ari baba waJehozadhaki. Jehozadhaki uyu akatapwawo Mwari paakaendesa vokwaJudha neJerusaremu muutapwa ari mumaoko aNebhukadhinezari. Vanakomana vaRevhi: ndiGerishomu naKohati naMerari. Vanawo vaGerishomu vakomana: ndavanaRibhuni naShimei. Vana vaKohati: vakomana ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri. Vanakomana vaMerari: ndiMahiri naMushi. Ivava ava ndivo mhuri dzokwaRevhi imba nemba. VokwaGerishomu: vakamira vakadai izvi: mwanakomana wake ndiRibhuni waRibhuni ndiJahati waJahati ndiZima waZima ndiJoa. Mwanakomana waJoa ndiIdho waIdho ndiZera waZera ndiJeatierai. VokwaKohati vakamirawo vakadai: mwanakomana wake ndiAminadhabhu waAminadhabhu ndiKora waKora ndiAsiri. Mwanakomana waAsiri ndiErikana waErikana ndiEbhiasafu waEbhiasafu ndiAsiri waAsiri ndiTahati. Mwanakomana waTahati: ndiUrieri waUrieri ndiUziya waUziya ndiShauru. Vana vaErikana vakomana: ndiAmasai naAhimoti. Mwanakomana waAhimoti ndiErikana waErikana ndiZofai waZofai ndiNahati waNahati ndiEriyabhu waEriyabhu ndiJerohamu waJerohamu ndiErikana. Vanakomana vaSamueri: ndiJoeri dangwe rake wechipiri ndiAbhiya. Vanakomana vaMerari: ndiMahiri waMahiri ndiRibhuni waRibhuni ndiShimei waShimei ndiUza waUza ndiShimea waShimea ndiHagiya waHagiya ndiAsaya. Havanoi varume vakaiswa naDhavhidhi pabasa rokuona nezvokuimba mumba yaTenzi pakazenge zvino bhokisi rechitenderano razororamo. Vaiva vokuimba nziyo pamberi petendhe rinoera mutendhe rokusanganira kusvikirawo Soromoni apedza kuvaka imba yaTenzi muJerusaremu. Basa ravo vairiita vachitevedza zvavakanga vakarongerwa. Varume vacho vaiita basa iroro pamwechete navana vavo vakomana vakamira vakadai izvi, kuvanakomana vokwaKohati kunoti: Hemani aiva muimbi ari mwanakomana waJoeri uya mwanakomana waSamueri uye aberekwa naErikana mwanakomana waJerohamu aberekwa naErieri mwanakomana waToa ari mwana waZufu wokuberekwa naErikana akaberekwa naMahati, mwanakomana waAmasai aberekawo Erikana mwana waJoeri iye ari mwana waAzariya aberekwa naZefaniya mwanakomana waTahati azoberekwa naAsiri mwana waEbhiyasafu aberekwawo naKora, mwanakomana waIzhari mwana waKohati waberekwa naRevhi, mwanakomana waIsiraeri kwouya munun'una wake Asafu aimira kurudyi kwake: Asafu uyu mwanakomana waBherekiya akaberekwa naShimea mwana waMikaeri uyu ari mwanakomana waBhaaseya akaberekwa naMarikiya mwana waEtini mwana waZera aberekwa naAdhaya mwanakomana waEtani akaberekwa naZima mwana waShimei mwanakomana waJahati aberekwa naGerishomu mwanakomana waRevhi. Kuruboshwe kwaiva nehama dzavo vanakomana vokwaMerari: vakanga vari vanaEtani mwanakomana waKishi mwana waAbhudhi aberekwa naMaruki okuberekwa naHashabhiya mwana waAmaziya mwanakomana waHirikiya aberekwa naAmuzi ariwo mwana waBhani mwanakomana waShemeru aberekwa naMahiri uyu ari mwana waMushi mwanakomana waMerari aberekwa naRevhi. Hama dzavo dzokwaRevhi dzakasarudzwa kuita basa romunzvimbo inoera mumba yaMwari. Asi Aroni navanakomana vake ndivo vaiva vokupira mipiro paatari yomupiro wokupisa napaatari yorusenzi pamwechete nebasa rose romunzvimbo inoeresesa nokupfupirirawo vaIsiraeri zvitadzo maererano nezvose zvakanzi naMosesi zviitwe. Vanakomana vaAroni: ndiEreazari waEreazari ndiFinehasi waFinehasi ndiAbhishua mwanawo waAbhishua: ndiBhuki waBhuki ndiUzi waUzi ndiZerahiya mwanakomana waZerahiya ndiMeraioti waMeraioti ndiAmariya waAmariya ndiAhitubhu mwanawo waAhitubhu ndiZadhoki waZadhoki ndiAhimaazi. Uku ndiko kugara kwavakanga vakaita zvichienderana nemamana avo mudunhu rokwavo. Vanakomana vaAroni vemhuri dzokwaKohati vakapiwa kwavo nechin'ange. Vakagoverwa Hebhuroni munyika yokwaJudha namafuro aro akaripotoredza. Asi minda yeguta racho nemisha yaro vakapa kuna Karebhu mwanakomana waJefune. Maguta okundopotera akapiwa vanakomana vokwaAroni ndaaya aya: kunoti Hebhuroni neRibhuna namafuro aro neJatiri neEshitemoa namafuro awo kwouya Hireni namafuro aro uye Dhebhiri namafuro aro neAshani namafuro aro neBhetishemeshi namafuro aro. Avakapiwa kwaBhenjamini ndeaya anoti: Gebha namafuro aro neAremeti namafuro aro uye Anatoti namafuro aro. Ose pamwechete maguta avo mudzimhuri dzokwavo aiva gumi namatatu. Vamwe vose vokwaKohati vakagoverwawo maguta gumi nechin'ange mumhuri yedzinza racho uye nomuchikamu chimwe chevokwaManase. VokwaGerishomi mhuri nemhuri vakagoverwa maguta gumi namatatu mune vedzinza rokwaIsakari nerokwaAsheri nerokwaNafutari nerokwaManase muBhashani. VokwaMerari mhuri nemhuri vakagoverwawo maguta gumi namaviri mudzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nerokwaZebhuruni. Saizvozvo vanhu veIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo. Vakagoverwawo nechin'ange mune vedzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni nerokwaBhenjamini maguta iwaya ataurwa nemazita. Vamwe vemhuri dzevanakomana vokwaKohati vaivawo namaguta omudunhu ravo mune vedzinza rokwaEfuremu. Vakagoverwa maguta okundopotera aya anoti Shikemu namafuro aro munyika yokwaEfuremu yamakomo, kwouya Gezeru namafuro aro kwoti Jokimeamu namafuro aro neBhetihoroni namafuro aro kwozoti Aijaroni namafuro aro neGatirimoni namafuro aro kwouyawo mune vechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase ndeaya: kunoti Aneru namafuro aro neBhireamu namafuro aro edzimwe mhuri dzose dzokwaKohati. VokwaGerishomu: vakagoverwa mune chimwewo chikamu chevedzinza rokwaManase vakapiwa: Gorani muBhashani namafuro aro, neAshitaroti namafuro aro. Mune vedzinza rokwaIsakari vakagoverwa: Kedheshi namafuro aro neDhabherati namafuro aro kwouya Ramoti namafuro aro neAnemu namafuro aro. Mune vedzinza rokwaAsheri vakapiwa: Mashari namafuro aro neAbhudhoni namafuro aro kwouya Hukoki namafuro aro neRehobhu namafuro aro. Mune vedzinza rokwaNafutari vakagoverwa: Kedheshi muGarirea namafuro aro neHamoni namafuro aro neKiriatiaimu namafuro aro. Vamwe vose vokwaMerari: vakagoverwa mune vedzinza rokwaZebhuruni. Rimoni namafuro aro neTabhori namafuro aro. Kumhiri kwaJorodhani: kuJeriko mune vedzinza rokwaRubheni vakapiwa Bhezeri riri pamutunhu namafuro aro neJahiza namafuro aro kwouya Kedhemoti namafuro aro neMefaati namafuro aro. Mune vedzinza rokwaGadhi vakagoverwa: Ramoti muGireadhi namafuro aro neMahanaimu namafuro aro kwouya Heshibhoni namafuro aro kwozoti Jazeru namafuro aro. Vanakomana vaIsakari ndavava, kunoti: Tora naPua naJashubhu naShimuroni vari vana kudaro. Vanakomanawo vaTora: ndiUzi naRefaya naJerieri naJahimai naJibhusamu naShemueri vari vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzokwaTora. Magamba okurwa hondo ezvizvarwa zvokwavo mumazuva aDhavhidhi vainge vari vanhu makumi maviri ezviuru ane zviuru zviviri namazana matanhatu. Vanakomana vaUzi: ndiIzirahiya. Vanawo vaIzarahiya vakomana: ndiMikaeri naObhadhiya naJoeri naIshiya vari vashanuwo kudaro vose vari madzichangamire. Pamwechete naivava ava chizvarwa nechizvarwa imba nemba paivawo nezvikwata zvavarwi vehondo zvina vanhu makumi matatu ezviuru ane zviuru zvitanhatu nokuti vaiva navakadzi navana vakomana vakawanda. Hama dzavo dzomudzimhuri dzekwaIsakari dzose pamwechete vaiva makumi masere ezviuru ane zviuru zvinomwe zvavanhu variwo magamba okurwa hondo vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa. Vanakomana vaBhenjamini: ndiBhera naBhekeri naJedhiaeri pautatu hwavo kudaro. Vana vakomana vaBhera: ndiEzibhoni naUzi naUzieri naJerimoti naIri vashanu. Vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo vari magamba okurwa hondo, vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa vari vanhu makumi maviri ezviuru ane zviuru zviviri namakumi matatu ane vana. Vana vaBhekeri: vakomana ndiZemira naJoashi naEriezeri naErioenai naOmuri naJerimoti naAbhiya naAnatoti naArameti. Vose ivava ava ndivo vanakomana vaBhekeri. Kunyorwa kwavakaita sokuberekwa kwavo chizvarwa nechizvarwa vari vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo, magamba okurwa hondo aiva makumi maviri ezviuru ane mazana maviri. Vanakomana vaJedhiaeri: ndiBhirihani. Vanawo vaBhirihani vakomana: ndiJeushi naBhenjamini naEhudhi naKenaana naZetani naTarishishi naAhishahari. Vose ivava ndovanakomana vaJedhiaeri imba nemba, magamba okurwa hondo aiva vanhu gumi rezviuru rine zviuru zvinomwe namazana maviri vaigona kuenda kuhondo. Vana Shupimu naHupimu: ndivo vanakomana vaIru, vokwaHushimu ndivo vanakomana vaAheri. Vana vaNafutari vakomana: ndiJahizieri naGuni naJezeru naSharumu vomumba maBhiriha. Vanakomana vaManase: ndiAsirieri waakabereka nomurongo wake wechiAramu, ndiye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi. Makiri akaroorera Hupimu naShupimu vakadzi. Hanzvadzi yake ndiMaaka. Mumwe mwana wake ainzi Zerofehadhi, Zerofehadhi aingova navanasikana. Maaka mudzimai waMakiri akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Pereshi, munun'una wake ainzi Shereshi. Vanakomana vaPereshi ndiUramu naRakemu. Vanawo vaUramu vakomana: ndiBhedhani. Vose ivava ndivo vana vakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri mwana waManase. Hanzvadzi yake Hamorehedhi akabereka Ishihodhi naAbhiezeru naMahira. Vana vaShemidha vakomana: ndiAhiani naShikemu naRiki naAniamu. Vanakomana vaEfuremu: ndiShutera mwanawo waShutera ndiBheredhi waBheredhi ndiTahati waTahati ndiEreadha waEreadha ndiTahati mwana waTahati ndiZabhadhi waZabhadhi ndiShutera waShutera ndiEzeru naEreadhi vanyakuurayiwa navarume vokuGati vakaberekerwa munyika iyoyo, nokuti vakanga vauya kuzopamba zvipfuwo zvavo. Baba vavo vakavachema kwamazuva akawanda vakoma navanun'una vake vakauya kuzonyaradzana naye. Efuremu akapinda mumba nomudzimai wake akava napamuviri akabereka mwana mukomana. Iye akamutumidza zita rokuti Bheriya nokuti imba yavo yakanga yawirwa nenhamo. Mwanasikana wake ndiShera nyakuvaka Bhetihoroni rokumusoro neBhetihoroni rezasi ose ari maviri kudaro uyewo Uzenishera. Mwanakomana waBheriya ndiRefa: waRefa ndiReshefu waReshefu ndiTera waTera ndiTahani mwana waTahani ndiRadhani waRadhani ndiAmihudhi waAmihudhi ndiErishama mwana waErishama ndiNunu waNunu ndiJoshuwa. Kwavowo ivava namamana avo kwaiva kuBhetieri nemisha yoko tonanga kumabvazuva kuNaarani nokumadokero kuGezeru nemisha yoko kwouya Shikemu nemisha yaro neAya nemisha yaro. Kumuganhu nokwaManase kwaivawo neBhetisheani neBhetisheani nemisha yaro neTaanaki nemisha yaro neMigidho nemisha yaro neDhoni nemishawo yaro. Imomu umu ndimo maigara vezvizvarwa zvaJosefi mwanakomana waIsiraeri. Vanakomana vaAsheru: ndiImuna naIshivha naIshivhi naBheriya nehanzvadzi yavo Sera. Vanakomanawo vaBheriya: ndiHebheru naMarikieri baba waBhirizaiti. Hebheru: ndibaba waJafureti naShomeru naHotamu nehanzvadzi yavo Shua. Vanakomana vaJafureti: ndiPasaki naBhimuhari naAshivhati. Ivava ava ndivo vanakomana vaJafureti. Vanawo vakomana vaShameru: mukoma nomunun'una naye ndiRohiga naJehubhabhu naAramu. Vanakomana vaHeremu mukoma nomunun'una naye: ndiZofa naImuna naShereshi naAmaru. Vanawo vaZofa vakomana: ndiSua naHarineferu naShuari naBheeri naImura, naBhezeru naHodhi naShama naShirisha naItirani naBheera. Vanakomana vaJeteru: ndiJefune naPisipa naAra. Vana vakomana vaUra: ndiArah naHanieri naRiziya. Vose ivava vaiva vokwaAsheri vari vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo vachizikanwa ari magamba okurwa hondo, madzichangamire emachinda. Vanhu vakaverengwa pazvizvarwa zvavo vari vanhu vaigona kuenda kundorwa hondo vaisvika zviuru makumi maviri nezvitanhatu. Bhenjamini ndibaba waBhera dangwe rake, wechipiri ndiAshibheri, wechitatu ndiAhara wechina ndiNoha, wechishanu ari Rafa. Vanawo vaBhera vakomana: ndiAdha naGera naAbhihudhi naAbhishua, kwouya Naamani naAhoa kwozoti Gera naShefufani naHuramu. Ava ndivo vanakomana vaEhudhi: vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzavagari vokuGebha vakazoendwa navo kuutapwa kuManahati, kwaiti Naamani naAhiya naGera anonziwo Hegiramu baba waUza naAhihudhi. Mumwewo ainzi Shaharaimu akabereka vana vakomana munyika yeMoabhu mushure mokunge aramba vakadzi vake vaHushimu navaBhaara. Akazobereka vana vakomana nomukadzi wake ainzi Hodheshi vanoti: Jobhabhu naZibhia naMesha naMarikanu naJeuzi naSakia naMirima. Ivava ndivo vanakomana vake, vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo. Akaberekawo vana vakomana navaHushimu ava vanoti Abhitubhu naEripaari. Vanakomana vaEripaari: ndiEbheru naMishamu naShemedhi nyakuvaka Ono neRodhi nemisha yaro Bheriya naShema vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzavagari vokuAiyaroni: vakaitisa chimwandamwanda vagari vokuGati; kwozouya Ahio: naShashaki naJeremoti, kwoti Zebhadhia naAradhi naEdheru, kwotiwo Mikaeri naIshipa naJoha ndovaiva vanakomana vaBheriya. Zebhadhiya: naMeshuramu naHiziki naHebheru naIshimerai naIsiriya naJobhabhu ndivowo vanakomana vaEripaari. Jakimu: naZikiri naZabhudhi naErienai naZiretai naErieri naAdhaya naBheraya naShimurati ndivo vanakomana vaShimei. Ishipani: naEbheru naErieri naAbhudhoni naZikiri naHanani naHananiya naEramu naAnitotiya naIfedhiya naPenueri, ndivo vanakomanawo vaShashaki. Shamusherai: naShehariya naAtariya naJaareshiya naEriya naZikiri, ndivowo vanakomana vaJorohamu. Ivava ava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo chizvarwa nechizvarwa vari madzichangamire. Ivava vaigara muJerusaremu. Jeieri: baba waGibheoni vaigara kuGibheoni. Zita romukadzi wavo rainzi Maaka. Mwanakomana wavo dangwe rainzi Abhudhoni kwouya Zuru naKishi naBhaari naNadhabhu, kwouya naGedhori naAhio naZekeru, uyewo Mikiroti baba waShimea. Zvino vose ivava vaigara pakatarisana nehama dzavo muJerusaremu pamwechete nehama dzacho. Neru ndiye baba waKishi Kishi ari baba waSauro Sauro ariye baba Jonatani naMarikushua naAbinadhabhu naEshibhaari. Mwana waJonatani: ndiMeribhaari Meribhaari ndiye baba waMika. Vanakomana vaMika: ndiPitoni naMereki naTariya naAhazi. Ahazi: ndibaba waJehoyadha. Jehoyadha ari baba waAremeti naAzimavheti naZimuri Zimuri ndiye baba waMoza. Moza ndiye babawo waBhinea mwanakomana waBhinea ndiRafa waRafa ndiEreasa waEreasa ndiAzeru. Azeru aiva navanakomana vatanhatu. Mazita avo ndiAzirikamu naBhokeru naIshimaeri naSheariya naObhadhiya naHanani vose ivava ndivo vanakomana vaAzero. Vanakomana vomunun'una wake Asheki: ndiUramu dangwe rake wechipiri ndiJeushi wechitatu ndiErifereti. Vanakomana vokwaUramu vaiva magamba okurwa hondo yokupfura nemiseve aiva navana vakomana navazukuru vazhinji zana namakumi mashanu, vose ivava vari vokwaBhenjamini. Saizvozvo Isiraeri yose yakanyorwa chizvarwa nechizvarwa izvozvo zvakanyorwa muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo eIsiraeri. VokwaJudha vakatapwa vakaendwa navo kuBhabhironi pamusana pokusatendeka kwavo. Vakazotanga kugarazve mavo nomumaguta avo vakanga vari vaIsiraeri vaiva vapristi navaRevhi novokushanda muTemberi. Vamwe vaiva vokwaJudha nevokwaBhenjamini nevokwaEfuremu nevokwaManase vakagara muJerusaremu. Ndi Utai mwanakomana waAmihudhi mwana waOmuri aberekwa naImuri mwana waBhani mwanakomana wokwaFeresi mwanakomana waJudha. VokuShiro: kwaiva naAsaya dangwe racho navana vake vakomana. Vanakomana vokwaZera: paiva naJeueri nehama dzavo vari mazana matanhatu ana makumi mapfumbamwe. VokwaBhenjamini: kunoti Sharu mwanakomana waMeshuramu mwana waHodhavhiya mwanakomana waHasenua kwouya Ibhuneya mwanakomana waJerohamu uyewo Era mwanakomana waUzi mwana waMikiri kwoti Meshuramu mwanakomana waShefatiya mwana waRueri mwanakomana waIbhuniya. Pamwechete nehama dzavo chizvarwa nechizvarwa vaiva mazana mapfumbamwe ana makumi mashanu navatanhatu. Vose ivava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo imba nemba. Pavapristi: paiti Jedhaya naJehoyaribhu naJakini kwouya Azariya mwanakomana waHirikiya mwana waMeshuramu mwanakomana waZadhoki mwana mukomana waMerayoti mwanakomana waAhitubhu mukuru mukuru wapamba paMwari kwouyawo Adhaya mwanakomana waJerohamu mwana mukomana waPashihuri mwanakomana waMarikiya kwoti Maasai mwanakomana waAdhieri mwanakomana waJahizera aberekwa naMeshuramu mwana waMeshiremiti mwanakomana waImeru. Hama dzavo vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo vaiva chiuru chimwechete namazana manomwe ana makumi matanhatu vari vanhu vainyatsoziva kwazvo basa romumba yaMwari. Kuna vaRevhi: kwaiti Shemaya mwanakomana waHashubhu mwanakomana waAzirikamu aberekwa naHashabhiya wechizvarwa chokwaMerari kwouya Bhakibhakari naHereshi naGararu naMataniya mwanakomana waMika mwanakomana waZikiri mwanakomana waAsafu kwoti Obhadhiya mwanakomana waShemaya mwanakomana waGararu mwana waJedhutuni kwouyawo Bherekiya mwanakomana waAsa mwana mukomana waErikana aigara mumisha yokwaNetofa. Vachengetedzi vepamisuo mikuru: ndiSharumu naAhubhu naTarimoni naAhimani nehama dzavo, Sharumu ariye changamire wacho. Vaimbenge vari vokugaririra pasuo guru raMambo kumabvazuva. Ivava ndivo vaiva vachengetedzi vokumusuo kwepaigara vaRevhi. Sharumu mwanakomana waKore mwana waEbhiasafu mwanakomana waKora nehama dzake dzemba yababa vake yokwaKora ndivo vaiona nezvebasa repo nerokuchengetedza pokupinda napo mutendhe rinoera sezvaiitwa namadzibaba vakanga vaine basa rokuona nezvetendhe raTenzi. Finehasi mwanakomana waEreazari ndiye akanga ariye mutungamiriri wavo kareko, Tenzi ainaye. Zekariya mwanakomana waMesheremiya akanga ari muchengetedzi wokusuo guru rokunopinda napo mutendhe rokusanganira. Vose ivava vakasarudzwa kuti vave vachengetedzi vokumusuo kwaipindwa nako vaiva mazana maviri ane gumi navaviri. Vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa mumisha yavo. Dhavhidhi nomuoni Samueri ndivo vakavagadza pabasa ravo irori. Naizvozvo ivo navanakomana vavo ndivo vaiona nezvepamisuo mikuru yemba yaTenzi zvichireva kuti imba iya, tendhe rinoera vari vagaririri. Vachengetedzi vokumusuo vaiva vari kumativi mana acho anoti kumabvazuva nokumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba. Hama dzavo dzokumusha kwavo dzaipota dzichiravana kuuya nguva nenguva kwamazuva manomwe kuzombova navo pabasa. Chaivapo ndechokuti vachengetedzi vana vokumusuo vakanga vari vakuru vakuru vokwaRevhi vaiona nezvedzimba dzepo noupfumi hwepamba yaMwari. Vairara pamba yaTenzi nokuti ndivo vaiva nebasa rokuichengeta. Ndivo vaivawo nebasa rokuizarura mangwanani oga oga. Vamwe vavo ndivo vaichengeta midziyo yaishandiswamo nokuti vainzi vaiverenge payaitorwa nepayaidzoswa. Vamwewo vavo vakaiswa pakuona nezvemimwe midziyo yemo nemidziyo yose inoera uyewo nezvoupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa newaini namafuta eorivhi norusenzi netwokubikisa tunonhuwirira. Vamwewo vemba yavapristi vaiva nebasa rokusanganisa twokubikisa tunonhuwirira twacho. Matatiya dangwe raSharumu wokwaKora ndiye aiva wokuona nezvokubikwa kwechingwa chakati fatata, kwouyawo dzimwe hama dzavo dzokwaKohati ndidzo dzaiona nezvechingwa chokuisa pana Mwari nokubika chingwa cheSabata yoga yoga. Zvino paitiwo vaimbi ivava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzokwaRevhi vachigara mudzimba dzepaTemberi vasina rimwe basa ravaiita nokuti basa ravo vairiita siku nesikati. Ivava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzevaRevhi chizvarwa nechizvarwa vari vatungamiriri vaigara muJerusaremu. MuGibheoni maigara Jeieri baba waGibheoni. Zita romukadzi wake rainzi Maaka mwana wavo mukomana dangwe ndiAbhudhoni kwouya Zuru naKishi naBhaari naNeru naNadhabhu kwozouya Gedhori naAhio naZekariya naMikirodhi. Mikirodhi ndiye baba waShimeamu. Ivava vose vaigara pakatarisana nehama dzavo muJerusaremu pamwechete nehama dzacho. Neru ndiye baba waKishi, Kishi ariwo baba waSauro, Sauro ariye baba waJonatani naMarikishua naAbhinadhabhu naEshibhaari. Mwanakomana waJonatani: ndiMeribhaari, Meribhaari ari baba waMika. Vanakomana vaMika: ndiPitoni naMereki naTahirea naAhazi. Ahazi ndibaba waJara, Jara ari baba waEremeti naAzimavheti naZimuri. Zimuri ndiye baba waMoza. Moza ndiyewo baba waBhinea. Mwanakomana waBhinea ndiRefaya waRefaya ndiEreasa waEreasa ndiAzeru. Azeru aiva navanakomana vatanhatu: mazita avo ndeaya aya: kunoti Azirakamu naBhokeru naIshimaeri naSheariya naObhadhiya naHanani. Ivava ava ndivo vana vaAzeri. VaFirisitia vakarwisana navaIsiraeri, varwi veIsiraeri vakatiza, vaIsiraeri vakarakatiswa kufa kuGomo reGiribhoa. VaFirisitia vakati tsvome tsvome kudzingirirana naSauro navanakomana vake. VaFirisitia vakauraya Jonatani naAbhinadhabhu naMarikishua vana vaSauro vakomana. Hondo yakanga zvino yaomera Sauro, vemiseve vakabva vamuwana vakamukuvadza. Naizvozvo Sauro akati kune wokumutakurira zvombo zvehondo, “Buritsa bakatwa rako muhara undibaye naro, vangadaro vanhu ava vasina kudzingiswa vakauya vakandiita zvavo chiseko.” Asi wokumutakurira zvombo zvehondo uyu akaramba nokuti akatya kwazvo. Sauro ndokubva atora bakatwa rake pachake ndokuzviwisira pariri. Uya aimutakurira zvombo zvehondo achionawo kuti Sauro afa, naiyewo akazviwisira pabakatwa rake akafawo. Uku ndokufa kwakaita Sauro iye navana vake vakomana vatatu navose vemhuri yake vakafa pamwechete. Vanhu vose veIsiraeri vaiva mubani pavakaona kuti vatiza kudaro uyewo kuti Sauro navana vake vakomana vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. VaFirisitia vakaenda vakagaramo. Ramangwana racho vaFirisitia pavakaenda kundotora zvaiva pazvitunha vakawana Sauro navana vake vakomana vakati kan'an'a kuGomo reGiribhoa. Vakamukatanura, vakatora musoro wake nedemautare rokuzvidzivirira muhondo naro. Vakatumira nhumwa kunyika yose yevaFirisitia nedama rakanaka kwazvo kuzvifananidzo zvavo zvokunamata nekuvanhu vokwavo. Vakaisa demautare rake rokuzvidzivirira naro muhondo mumba yavamwari vavo, musoro wake vakauroverera mumba yaDhagoni. Vose vokuJabheshi kwaGireadhi pavakanzwa zvakanga zvaitwa nevaFirisitia kuna Sauro, varume vokwavo vose magamba ehondo, vakasimuka vakasvikotora chitunha chaSauro nezvavanakomana vake vakadzokera nazvo kuJabheshi. Vakaviga mapfupa avo pasi pomuti womuoku muJabheshi vakatsanya kwamazuva manomwe. Nokudaro Sauro akafa pamusana pokusatendeka kwake. Paasina kutendeka kuna Tenzi ndeapa pokuti haana kuchengeta mutemo waTenzi uyewo akandobvunzira kune anosvikirwa achitsvaka mazano asingatsvake mazano kuna Tenzi. Naizvozvo Tenzi akamuuraya umambo ndokuhuisa pana Dhavhidhi mwanakomana waJese. VokwaIsiraeri vose vakauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni vakati, “Zvamunoona izvozvi tiri hama nehama, vanhu veropa rimwechete chairo nemi. Kare kaya, kunyange Sauro paakanga achiri mambo, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamiririra Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi, Mwari wenyu akakutii, ‘Imi ndimi muchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri, muchava ishe weIsiraeri.’ ” Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni, ikoko pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri sokutaura kwakaita Tenzi nomuromo waSamueri. Dhavhidhi neIsiraeri yose vakaenda kuJerusaremu ndiro guta rimwechetero rinonzi Jebhusi, kwaiva navaJebhusi vagari vomunyika iyoyo. Vagari vomuJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi.” Zvakadaro zvazvo Dhavhidhi akakurira guta retsvingo reZioni ndorakarero rinonzi Guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akati, “Anenge angoita wokutanga kurwisa vaJebhusi ndiye achava changamire nomutungamiriri wehondo.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akabva ava wokutanga kukwirako nokudaro akabva ava changamire. Dhavhidhi akagara munzvimbo yokuhwanda hondo, ndokusaka rakatumidzwa zita rokuti Guta raDhavhidhi. Akavaka guta iri kuritenderedza kubvira pachimudhuri chemavhu kutenderera rose. Joabhu akagadzira kumwe kwose kweguta iri kwakanga kwasara. Ukuru hwaDhavhidhi hwakaramba hwongoenderera mberi nokuti Tenzi, wehondo nehondo aiva naye. Zvino vano ava ndivo vakuru vakuru vemagamba aDhavhidhi okurwa hondo vaimutsigira kwazvo muumambo hwake pamwechete neIsiraeri yose kuti ave mambo sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nezveIsiraeri. Iyi ndiyo nhoroondo yemagamba aDhavhidhi okurwa hondo: kunoti Jashobheamu wokuHakimoni. Pautatu hwavo ndiye aiva mukuru. Akarwisa mazana matatu avarume akavauraya nepfumo rake muhondo imwechete. Aitevedzerwa naEreazari mwanakomana waDhodho wokuAhohi. Ndiye akanga aina Dhavhidhi kuPasidhamimu kwakanga kwaunganwa nevaFirisitia kuzorwa hondo. Pakanga paine munda waiva nekoroni. Varwi ndopavakadzvamuka kutiza vaFirisitia. Ivo vakamira nomunda iwoyo vachiudzivirira vakauraya vaFirisitia. Tenzi akaita basa guru rokuvanunura. Pavakuru — vakuru makumi matatu vamwe vavo vatatu vakasvika kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuromu. Izvozvo matendhe evaFirisitia akanga akadzikwa mubani revaRefaimu. Izvozvo Dhavhidhi akanga achiri munhare yakavakirirwa. Chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chiri kuBetirehemu. Dhavhidhi akanzwa nenyota akati dai waro pangowana mumwe anonditekera mvura yokunwa kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuwo guru raro. Magamba okurwa aye ari matatu akatyoredzera nomumatendhe evaFirisitia imomo akandoteka mvura kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuo guru racho. Vakaichera vakauya nayo kuna Dhavhidhi asi Dhavhidhi akaramba kuinwa akaiteurira pasi kuna Tenzi achiti, “NaMwari wangu chaiye, handifanire kumbofa ndakaita chinhu chakadai. Iropaka iri upenyuka uhu hwavanhu vaendako, nokuti vatopinzaka ava upenyu hwavo munjodzi.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa namagamba matatu aya. Abhishai munun'una waJoabhu ndiye aiva mukuru mukuru wavo vari makumi matatu. Akarwisa varume mazana matatu nepfumo rake akavauraya akazviwanira zita pamwechete navatatu vaya. Ndiye aiva nomukurumbira kwazvo pamakumi matatu avo ndokubva ava mukuru-mukuru wavo, asi pavatatu vaya haana kupasvika. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzieri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando. Akaurayawo mumwe muIjipiti, murume chaiye akasvika. MuIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko asi Bhenaya akamuvinga netsvimbo. Akatorera muIjipiti pfumo, ndokubva amuuraya nepfumo rake iroro. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa naBhenaya mwana waJehoyadha akazviwanira zita pamwechete namagamba matatu aya. Iyeyu uyu aivawo nomukurumbira pamwechete navaya makumi matatu. Asi pavatatu vaya haana kupasvika. Dhavhidhi akamuita mukuru-mukuru wevokuchengetedza iye mambo. Magamba okurwa muzvikwata zvavo zvehondo ndeaya anoti: Asheri munun'una waJoabhu naErihanani mwanakomana waDhodho wokuBetirehemu naShamoti wokuHarodhi naHerezi wokuPeroni naIra mwanakomana waIkeshi wokuTekowa naAbhiezeru wokuAnatoti naSibhekai muHushati naIrai muAhohi naMaharai wokuNetofa naHeredhi mwanakomana waBhaana wokuNetofa naItai mwanakomana waRibhai wokuGibheya kwaBhenjamini naBhenaya wokuPiratoni naHurai wokumakoronga wokuGaashi naAbhieri muAribhati naAzimavheti wokuBhaharumu naEriyabha wokuShaoribhoni navanakomana vaHashemu wokuGizoni naJonatani mwanakomana waShage wokuHarari naAhiyamu mwanakomana waSakari wokuHarari naErifari mwanakomana waUru naHeferu muMumekeri naAhiya muPeroni naHeziro wokuKarimeri naNaarai mwanakomana waEzibhai naJoeri mukoma nomunun'una naNatani naMibhari mwanakomana waHagiri naZereki muAmoni naNaharai wokuBheroti mutakuri wezvombo zvehondo zvaJoabhu mwanakomana waZeruya naIra wokuItira naGarebhu wokuItira naUriya muHiti naRabhadhi mwanakomana waAhirai naAdhina mwanakomana waShiza wokuRubheni aiva mutungamiriri wokwaRubheni, chikwata chake chiri makumi matatu avanhu naHanani mwanakomana waMaaka naJoshafati muMitini naUziya wokuAshiteroti Shama naJeieri vanakomana vaHotamu wokuAroero naJedhiyaeri mwanakomana waShimiri nomunun'una wake Jaha muTizi naErieri wokuMahavhi naJeribhai naJoshavhiya vanakomana vaErinaamu naItima wokuMoabhu naErieri naObhedhi naJaasieri wokuMezobha. Ava ndivo varume vakaenda kuna Dhavhidhi kuZikiragi paye paakanga asingakwanise kufamba pamadiro pamusana paSauro mwanakomana waKishi. Ndivo vamwe vemagamba okurwa hondo vaimubatsira muhondo. Vaiva vokurwa nouta nemiseve vaigona kupfura nemiseve kana kukanda matombo noruoko rwose rwose, rudyi kana ruboshwe. Vaiva vokwaBhenjamini hama dzaSauro. Mukuru wavo ndiAhiezeru kwouya Joashi vari vanakomana vaShemaa wokuGibhea uyewo Jezieri naPereti vanakomana vaAzimavheti kwouya Bheraka naJehu wokuAnatoti naIshimaya wokuGibheoni akanga ari gamba rokurwa hondo pamwechete naaye makumi matatu aivawo mutungamiriri wamakumi matatu paivawo naJeremiya naJahazieri naJohanani naJozabhadhi wokuGedhera kwouya Eruzai naJerimoti naBheariya naShemariya naShefatiya wokuHarufu kwoti Erikana naIshiya naAzareri naJoezeru naJoshebheamu wokwaKora kwozoti Joera naZebhadhiya vanakomana vaJehoramu wokuGedhori. Kune vokwaGadhi vakapomokerawo kuna Dhavhidhi kunhare yakavakirirwa kurenje vaiva magamba agara nayo hondo, panhoo apa nepapfumo dziri nyanzvi chaidzo, uso uhwu dziri shumba chaidzo, pakumhanya apa dzichinge ngururu chaidzo mumakomo. Mukuru wavo aiva Ezeru achiteverwa naObhadhiya wechitatu ari Eriyabhu wechina Mishimana wechishanu Jeremiya wechitatu ari Atai wechinomwe ari Erieri wechisere ari Johanani, Erizabhadhi ariye wechipfumbamwe wegumi ari Jeremiya, Makibhanai ari wegumi nechiposhi. Ivava vokwaGadhi ava ndivo vaiva vakuru vakuru vomuhondo, vadiki vacho vaitungamira zana vakuru vacho nechiuru. Ivava ndivo varume vakayambuka Jorodhani mumwedzi wokutanga rwakazara mhiri nemhiri vakasvikodzvamutsa vaive kumanhika kumabvazuva nokumadokero. Vamwewo varume vokwaBhenjamini nevokwaJudha vakapomokerawo kuna Dhavhidhi kunhare yakavakirirwa. Dhavhidhi akabuda kundosangana navo akavati, “Kana zvamauyira kuno kwandiri zvakanaka, ini nemi tichaita mwoyo mumwechete. Asi kana mavinga kuti muwane mandiisiro mumaoko evavengi vangu, ini maoko angu akachena, Mwari wemadzibaba edu ngaakuonei akudzorei.” Ipapo Mweya wakaputira Amasai mutungamiriri wamakumi matatu avanhu aya iye ndokuti, “Tiri venyu isu vaDhavhidhi Tinemi isu mwana waJese! Rugare ngaruve nemi! Uye dai rugare rwangovawo nemi, navanokubatsirai ngavavewo norugare, nokuti Mwari wenyu anokubatsirai!” Dhavhidhi akazovagamuchira akavaita vakuru vakuru vezvikwata zvehondo yake. Vamwe varume vokwaManase vakapomokerawo kuna Dhavhidhi paakanga oti auye nevaFirisitia kuzorwisa Sauro. Zvakadaro zvazvo haana kuvabatsira nokuti vatongi vevaFirisitia vakazowirirana zvokuti adzoke zvake vachiti, “Kana zvikazotiipira munhu uyu anotisiya opomokera kuna tenzi wake Sauro.” Paaidzokera kuZikiragi ava ndivo varume vokwaManase vakapomokera kwaari panoti: Adhina naJozabhadhi naJedhiyaeri naMikaeri naJozabhadhi naErihu naZiretai vatungamiriri vezviuru kune vokwaManase. Vakakutsirana naDhavhidhi kurwisa chikwata chiya chevapambi nokuti vose vakanga vari mvumba dzemagamba okurwa hondo vari vatungamiriri vehondo. Chaivapo ndechokuti, zuva nezuva vanhu vaingoramba vachikurumukira kuna Dhavhidhi kusvikira paita hondo huru kwazvo sehondo yaMwari. Uhwu ndouwandi hwezvikwata zvehondo zvakauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni kuzobvisa umambo kuna Sauro vachihuisa kuna Dhavhidhi sokutaura kwakaita Tenzi. Varume vokwaJudha: vokurwa nenhoo nepfumo vaiva zviuru zvitanhatu zvina mazana masere avarwi. VokwaSimeoni: mvumba dzemagamba okurwa hondo, vakanga vari zviuru zvinomwe zvine zana. VokwaRevhi: vaiva zviuru zvina zvine mazana matanhatu, muchinda Jehoyadha wemba yokwaAroni aine zviuru zvitatu namazana manomwe. Zadhoki: mvumba chaiyo, gamba rechidikii rokurwa hondo aiva navatungamiriri vehondo makumi maviri vemba yokwababa vake. VokwaBhenjamini: hama dzokwaSauro vari zviuru zvitatu vazhinji vavo vakanga vachitsigirana nevemba yokwaSauro. VokwaEfuremu: zviuru makumi maviri, mvumba chaidzo dzokurwa hondo, varume vaiva nomukurumbira mudzimba dzemadzibaba avo. Chimwe chikamu chokwaManase: zviuru gumi nezvisere vakanga vasarudzwa kuti vauye kuzogadza Dhavhidhi paumambo. VokwaIsakari: varume vainzwisisa mamiriro ezvinhu panguva iyoyo, vaiziva zvinofanira kuti zviitwe navaIsiraeri, madzishe anosvika mazana maviri pamwechete nehama dzavo dzose dzaiva pasi pavo. VokwaZebhuruni: vaiva makumi mashanu ezviuru vaikwanisa kuenda kuhondo, vakapakata zvombo zvehondo zvemhando nemhando vaine mwoyo mumwechete kuzoita chirwirangwe kubatsira Dhavhidhi. VokwaNafutari: vaiva nechiuru chavatungamiriri chaiva namakumi matatu ezviuru ane zviuru zvinomwe zvavarume vaingewo vakapakata nhoo namapfumo. VokwaDhani: kwaiva namakumi maviri ezviuru ane zviuru zvisere zvine mazana matanhatu avarwi vaiva vakapakata zvombo zvehondo. VokwaAsheri: vaiva makumi mana ezviuru zvavarwi vaikwanisa kuenda kuhondo. VokwaRubheni nevokwaGadhi: nevechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase vokumhiri kwaJorodhani vari zana rezviuru rine zviuru makumi maviri zvavarwi vakapakata zvombo zvehondo zvemhando dzose. Varume ivava vose vokurwa vakauya kuHebhuroni vakarongana zvehondo vachida nomwoyo wose kugadza Dhavhidhi umambo hweIsiraeri yose. Vamwe vose veIsiraeri vaiva nepfungwa imwecheteyo yokugadza Dhavhidhi umambo. Vakaita mazuva matatu vaina Dhavhidhi ikoko vachidya nokunwa nokuti hama dzavo dzakanga dzavagadzirira. Vavakangawo vakabatana navo kunyange vokwaIsakari, nokwaZebhuroni nokwaNafutari uko, vakauya nechokudya chakatakurwa namadhongi, nenghamera namanyurusi nemombe zviri zvokudya zvakawanda kwazvo pachiti upfu nezvambwa zvemakuyu nezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa newaini nemafuta eorivhi nenyama yemombe neyehwai nokuti hakusi kufara ikoko kwaiva muIsiraeri. Dhavhidhi akabvunza mazano kuvatungamiriri vezviuru nevemazana navatungamiriri vose zvavo. Dhavhidhi akati kugungano rose reIsiraeri, “Kana imi muchizviona kuti zvakanaka uye kuti kana chiricho chido chaTenzi, Mwari wedu, ngatitumirei shoko kuhama dzedu dzakasara munyika yeIsiraeri yose nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta ane mafuro awo kuti vauye tiungane pamwechete, tidzosere bhokisi raMwari wedu rechitenderano kuno nokuti pamazuva aSauro takaita sokurishaira hanya.” Gungano rose rakabvuma kuita saizvozvo nokuti zvakafadza vanhu vose. Saizvozvo Dhavhidhi akaunganidza vanhu vose kubvira kuShihori yokuIjipiti kusvikira tava kuda kusvika kuHamati kuti bhokisi raMwari rindotorwa kuKiriatijearimu. Dhavhidhi neIsiraeri yose vakakwira kuBhaara, Bhaara ndiro Kiriatijearimu kwaJudha kundotora ikoko bhokisi raMwari rechitenderano rine zita raTenzi anogara pana makerubhu. Vakatakura bhokisi raMwari rechitenderano racho pachikochikari chitsva kubva kumba yokwaAbhinadhabhu, vanaUza naAhio ndovaichayira chikochikari chitsva ichi. Dhavhidhi neIsiraeri yose vaifara vachipemberera Mwari napose pavaigonera kuchiti uku runoimba, ukuwo runoridza zvipendhani, uku madimbwa ukuwo tambureni namakwakwakwa outare namabhosvo. Kuzoti vasvika paburiro rokwaKidhoni, Uza akabata bhokisi rechitenderano kurigamha nokuti nzombe dzakanga dzati dzadzarikei. Tenzi akavirukira Uza nehasha akabva amuuraya nokuti akabata bhokisi rechitenderano. Akabva afira ipapo pana Tenzi. Kuurayiwa kwakaitwa Uza uku naTenzi kwakashungurudza Dhavhidhi. Nzvimbo iyi ichiri kungonzi Perezuza nanhasi uno. Musi iwoyu, Dhavhidhi akatya Mwari akati, “Zvino bhokisi raMwari rechitenderano, kwangu uku, ringasvike sei pakadai?” Nokudaro Dhavhidhi haana kuzoenda nebhokisi rechitenderano kumba kuguta raDhavhidhi, asi akatsaukira naro pamba paObhedhi muGiti. Bhokisi raMwari rechitenderano rakagara mumba maObhedhiedhomu muGiti kwemwedzi mitatu. Tenzi akabvawo akomborera mhuri yaObhedhiedhomu nezvaaiva nazvo zvose. Hiramu mambo weTire akatumira Dhavhidhi nhume namapango omusidhari pamwechete navanhu vokuveza miti namatombo vakavakira Dhavhidhi muzinda. Dhavhidhi akazviona kuti Tenzi akanga aita kuti umambo hwake hwokwaIsiraeri hudzike midzi, uye kuti akanga asimudzira zvikuru kwazvo umambo hwake pamusana pavanhu vake vaIsiraeri. Dhavhidhi akaroorazve vamwe vakadzi muJerusaremu. Dhavhidhi akabereka vamwe vana vakomana navasikana. Mazita avana vake vakaberekerwa kuJerusaremu ndeaya anoti: Shamua naShobhabhu naNatani naSoromoni; kwouya Ibhari naErishua naErifereti kwoti Noga naNefegi naJafia naErishama kwozoti Erishama naBheeriyadha naErifereti. VaFirisitia pavakanzwa kuti Dhavhidhi agadzwa umambo hwokuIsiraeri yose, vaFirisitia vose vakaenda kundovhima Dhavhidhi. Asi zvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akabva abuda kundovarwisa. Izvozvo vaFirisitia vakanga vauya vakapamba zvinhu mubani rokuvaRefaimu. Dhavhidhi akada kuziva kuti Mwari anotii nazvo akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFirisitia ava? Muchavaisa mumaoko angu here?” Tenzi akamuti, “Enda zvako nokuti ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.” Dhavhidhi akakwidza kuenda kuBhaariperezimu, akavakurira ipapo. Dhavhidhi akati, “Sokupozhora nokuita mafashamo, Mwari apozhora vavengi vangu achindishandisa.” Naizvozvo pakatumidzwa zita rokuti Bhaariperazimu. Vakasiya vamwari vavo ipapo, Dhavhidhi akati ngavapiswe vakabva vapiswa. VaFirisitia vakapamba zvakare zvinhu mubani riya. Dhavhidhi paakadazve kunzwa kuti Mwari anotii nazvo, Mwari akati kwaari, “Rega kubva waita zvokutandanisana navo; asi ita zvokuvanyangira uvafute nokumiti yemibharisamu. Paunozongonzwa chete mutsindo wokufamba pamusoro pemiti yemibharisamu mobva mati navo koke koke kuvarwisa nokuti Tenzi anenge atotungamira mberi kwenyu kundorwisa hondo dzavaFirisitia.” Dhavhidhi akaita zvaakaudzwa naTenzi akarakatisa kuuraya hondo yevaFirisitia kubvira kuGibheoni kusvikira kuGezeru. Zita raDhavhidhi rakaenda mbiri nyika dzose, uyewo Tenzi akapinza mweya wokumutya mundudzi dzose. Dhavhidhi akazvivakira muzinda muGuta raDhavhidhi ndokugadzira nzvimbo yeBhokisi raMwari rechitenderano akaridzikira tendhe. Dhavhidhi ndokuti, “Hapana anofanira kutakura bhokisi raMwari rechitenderano kusiya chete vaRevhi nokuti Tenzi akavasarudza kutakura bhokisi raTenzi rechitenderano nokumushandira narini wose.” Dhavhidhi akakokorodza Isiraeri yose kuJerusaremu kuti vandounza bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo yaro yaakanga arigadzirira. Dhavhidhi akaunganidza pamwechete vanakomana vokwaAroni nevokwaRevhi vaiti: vokwaKohati mutungamiriri wavo ari Urieri nehama dzake zana namakumi maviri; kwouya vokwaMerari, mutungamiriri wavo ari Asaya nehama dzake mazana maviri namakumi maviri; kwoti vokwaGerishomu, mutungamiriri wavo aiva Joeri nehama dzake zana namakumi maviri; kuchiti vokwaErizafani, mutungamiriri ari Shemaya nehama dzake mazana maviri; kukati vokwaHebhuroni, mutungamiririwo ari Erieri nehama dzake makumi masere; ndokuzotiwo vokwaUzieri, mutungamiriri wacho ari Aminadhabhu nehama dzake zana rine gumi navaviri. Dhavhidhi akazounganidza vapristi vaiti Zadhoki naAbhiyatari kwozouya vaRevhi vaiti Urieri naAsaya naJoeri naShemaya naErieri naAminadhabhu, akati kwavari, “Imika ndimi vatungamiriri vedzimba dzedzinza rokwaRevhi chizvichenurai imimi nehama dzenyu kuitira kuti mundotakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari weIsiraeri muuye naro panzvimbo yandakarigadzirira pamusana pokuti pakutanga paye hamuna kuritakura imi, Tenzi, Mwari wedu akatipinza mudambudziko nokuti hatina kunge taribata nomutoo waro wakatemwa kuti uitwe.” Saizvozvo vapristi nevaRevhi vakazvichenura kuitira kuti vandounza bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari weIsiraeri. VaRevhi vakatanhika bhokisi raMwari rechitenderano pamapfudzi namapango aro aye sezvakanzi naMosesi zviitwe sokutaurawo kwakanga kwaita Tenzi. Dhavhidhi akaudzawo vatungamiriri vevaRevhi kuti vasarudze dzimwe hama dzavo dzive vaimbi vanofanira kuridza chaizvo zvokuimba nazvo zvinoti madimbwa nezvipendhani nemakwakwakwa outare paite mutinhimira wokufara. VaRevhi vakabva vasarudza Hemani mwanakomana waJoeri, kuhama dzake uku vakasarudza Asafu mwanakomana waBherekiya, kwoti kuvanakomana vokwaMerari hama dzavo, Etami mwanakomana waKushaya pamwechete nehama dzavo dzaivatevedzera vanaZekariya naJaazieri naShemiramoti naJehieri naUni naEriyabhu naBhenaya naMaaseya naMatitiya naEriferehu naMikineya naObhedhiedhomu naJeieri vachengetedzi vepamisuo mikuru. Vaimbi vaiti: Hemani naAsafu naEtani ndivo vaiva vokuridza makwakwakwa endarira. Vaiva vokuridza madimbwa eAramoti okushaura ndiZekariya naAzieri naShemiramoti naJehieri naUni naEriyabhu naMaaseya naBhenaya. Asi Matitiya naEriferehu naMikineya naObhedhiedhomu naJeieri naAzaziya ndovaiva vatungamiriri vokushaura nezvipendani zveSheminiti zvezwi rapasipasi. Kenaniya aiva mutungamiriri wevaRevhi mune zvokuimba achidzidzisa kuimba nokuti aizviziva. Bherekiya naErikana vaiva vokuchengetedza kusuo remaiva nebhokisi rechitenderano. Shebhaniya naJoshafati naNetaneri naAmasai naZekariya naBhenaya, vapristi, vaiva vokuridza mabhosvo pamberi pebhokisi raMwari rechitenderano. Obhedhiedhomu naJehiya vaivawo vachengetedzi vokusuo remaiva nebhokisi rechitenderano. Saizvozvo Dhavhidhi navakuru vakuru veIsiraeri navatungamiriri vezviuru vaye vakandotora bhokisi raMwari rechitenderano kumba kwaObhedhiedhomu vachipembera kufara. Pamusana pokuti Mwari akabatsira vaRevhi kutakura bhokisi raTenzi rechitenderano, vakapira zvibayiro zvehandira nomwe nehondohwe nomwe. Izvozvo Dhavhidhi aiva akapfeka hanzu yejira rerineni rakanakisisa ndizvozvowo zvakanga zvakaita vaRevhi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano navaimbi naKenaya mutungamiriri wezvokuimba. Dhavhidhi akanga akapfeka hanzu yeefodhi yerineni. Saizvozvo Isiraeri yose yakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano iri: mipururu nemhere zvichidairana nokurira kwehwamanda namabhosvo namakwakwakwa outare, vachiridzisa kwazvo madimbwa nezvipendani. Pakasvika bhokisi raTenzi rechitenderano kuguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarisa napawhindo akaona mambo Dhavhidhi achitamba nokufara achacharika, Mikari akabva amushora nechomumwoyo. Vakaunza bhokisi raMwari rechitenderano vakariisa mukati metendhe rarakanga ragadzirirwa naDhavhidhi vakapira zvibayiro zvokupisa nemipiro yokuwadzana pana Mwari. Dhavhidhi paakapedza kupira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana, akakomborera vanhu nezita raTenzi akagoveranisa vanhu vose veIsiraeri varume navakadzi zvokudya zvinoti chingwa nenyama yechirango nezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa. Chimwewo ndechokuti, akasarudza vamwe vaRevhi kuti vashande pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano vapote vachinamata nokutenda nokurumbidza Tenzi, Mwari weIsiraeri. Asafu ndiye aiva mutungamiriri wacho achitevedzerwa naZekariya naJeieri naShemiramoti naJehieri naMatitiya naEriyabhu naBhenaya naObhedhiedhomu naJeieri vaiva vokuridza madimbwa nezvipendani. Asafu ndiye aiva wokuridza makwakwakwa outare, Bhenaya naJahazieri vapristi, vari vokuramba vachiridza mabhosvo pamberi pebhokisi raMwari rechitenderano. Musi iwoyo Dhavhidhi akazoudza Asafu nehama dzake kuti vaimbire Tenzi rwiyo rwokutenda Tenzi vachiti: “Tendai Tenzi munamate kwaari nezita, muzivise mabasa ake kundudzi dzavanhu! Muimbirei, mumurumbidze nenziyo, mutaure zvishamiso zvaakaita! Pururudzai muzita rake rinoera, mwoyo yavanotsvaka Tenzi ipembere nokufara. Nekairai kutsvaka Tenzi mutsvakewo simba rake, shungu yokuda kuva pana Tenzi ngaive mugariro. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, zviratidzo nemirao zvakabuda mumuromo make. Imi chizvarwa chaAbhurahamu muranda wake, imi vana vaJakobho vasarudzwi vake. Iyeyu Tenzi ndiye Mwari wedu mirao yake hakuna kwaisiri pasi pose. Rangarirai nokusingapere chitenderano chake, shoko raakati richengetwe kunyange, kusvikira kuchizvarwa chavanhu chechiuru, chitenderano chaakaita naAbhurahamu, chitsidzo chaakaita kuna Isaki; chaakazvisunga nacho somurao kuitira Jakobho, sechitenderano chake naIsiraeri, chokugara nokugara achiti: ‘Ndichakupa nyika yeKanani somugove wako wenhaka.’ Ipapo vakanga vachiri katsama chete, vanhu vashomanana, vatorwa zvavo; vachidzunga nawo marudzi akasiya-siyana vachideva namo mumadzimambo nomumarudzi avanhu akasiyana-siyana. Zvokuti pave neanovabata zvakaipa akaramba, pamusana pavo aitsiura madzimambo achiti: ‘Musambobata-bata zvenyu vangu vandakazodza, vaporofita vangu musawane chamunoita kwavari.’ Pasi pose zvapo ngapaimbire Tenzi. Paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Rondedzerai marudzi avanhu zvembiri yake, nokundudzi dzose zvishamiso zvaakaita, nokuti Tenzi mukuru anofanira kurumbidzwa chaizvo. Pavamwari vose zvavo ndiye chete anofanira kutyiwa nokuti vamwari vose vamarudzi ndavamwari vechipameso. Asi Tenzi ndiye akasika matenga, chiremera nembiri ndezvake, musha wake wakasimba, musha werufaro. Ipai Tenzi imi mhuri dzose dzavanhu, ipai Tenzi mbiri noukuru. Mbiri ngaiende kuna Tenzi, mbiri inokodzerana nezita rake. Takurai chipo muuye nacho paari. Pfugamirai Tenzi mune hanzu dzoutsvene. Pasi pose zvapo ngapadedere mberi kwake, nyika yakanyatsosimba haitsukunyuki. Matenga ngaafare, nyika izare nokufara, marudzi adure pachawo kuti, ‘Tenzi ndiye mutongi!’ Gungwa ngaritinhire nezvosewo zvizeremo, sango ngarifare kwazvo nezvosewo zvirimo. Miti yomusango ichadaidzira nokufara, kufarira Tenzi nokuti anouya kuzotonga nyika. Tendai Tenzi nokuti akanaka mwoyochena wake hauperi. Itiiwo, ‘Tiponeseiwo nhai Mwari ndimi Mwari anotiponesa. Tikokorodzeiwo mutinunure mukati mamarudzi tikwanise kutenda zita renyu rinoera tipembere kufara mukukurumbidzai kwatinoita Tenzi ngaarumbidzwe, narini narini Mwari weIsiraeri.’ ” Vanhu vose vakati, “Ameni,” vakarumbidza Tenzi. Dhavhidhi akazosiya Asafu nehama dzake ikoko pamberi pebhokisi rechitenderano raTenzi kuti vagare vachishanda pamberi pebhokisi rechitenderano basa rainge richifanira kuitwa zuva nezuva. Akasiyawo Obhedhiedhomu nehama dzake makumi matanhatu navasere. Obhedhiedhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa ndivo vaifanira kuva vachengetedzi vokusuo guru. Akasiyawo mupristi Zadhoki nehama dzake vapristi patendhe rinoera raTenzi panzvimbo iya yakatunhumara yokuteurira yaiva kuGibheoni kuti vapire mipiro yokupisa kuna Tenzi paatari pokupisira mipiro nguva dzose kumangwanani nokumanheru maererano nezvakanyorwa mumutemo waTenzi waakapa Isiraeri. Vaivawo naHemani naJedhutumu navamwe vakanga vasarudzwa vachiita zvokudomwa namazita kuti vapote vachitenda Tenzi nokuti mwoyochena wake hauperi. Hemani naJedhutumu vaiva namabhosvo nemakwakwakwa midziyo yokuridza nokuimbisa, nziyo dzinoera. Vana vokwaJedhutumu ndivo vakapiwa basa rokuchengeta pasuo guru. Vanhu vose vakati uyu kwake uyu kwake kuenda kumisha yavo. Dhavhidhi akadzokera kumuzinda wake kundokomborera mhuri yake. Dhavhidhi paakanga zvino anyatsogarawo mumuzinda wake akati kumuporofita Natani, “Tarisai muone, ini ndachidai zvangu kugara mumba yakashongedzwa nomusidhari, asi uku bhokisi raTenzi rechitenderano rakangoti njo mutendhe zvamo.” Natani akati kuna Dhavhidhi, “Endai zvenyu muite zvose zviri mumwoyo menyu nokuti Mwari anemi.” Asi usiku hwakarehwo shoko raTenzi rakasvika kuna Natani richiti, “Enda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naTenzi, iwe hausiriwe unondivakira imba yokugara. Ndinodaro nokuti handina kumbogaraka mumba ini kubvira pandakatungamirira vaIsiraeri kusvikira pari nhasi. Asi changu ini kwanga kuri kugara mutendhe pose painge pambogarwa. Kwose kwandakafamba nevaIsiraeri vose ndakambobvunzawo here ini vatongi vavo vandaipa basa rokufudza vanhu vangu vaIsiraeri kuti, uri kuregerei kundivakira imba yakashongedzwa nomusidhari?’ “Zvino chienda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti zvanzi naTenzi wegurusvusvu rehondo, ‘Ndakakutora kumafuro kwawaifudza zvipfuwoka iwe kuti uve ishe wevanhu vangu vaIsiraeri. Ndaiva ndinewe kwose kwawaifamba ndikafanoparadza vavengi vako vose. Zvino ndichaita kuti zita rako rive nomukurumbira sezvakangoita mazita avakuru vakuru vepanyika. Ndinotsvakira vanhu vangu vaIsiraeri pokugara ndovasimapo kuti vagarewo zvavo pavo, vasisambofuruswa vaipi vasisambovapfuvisa sezvavaiita kare kubvira panguva yandaisarudzira vanhu vangu vaIsiraeri vatongi. Ndichaisa vavengi vako vose pasi pako. Uyewo Tenzi anoti kwauri iye Tenzi ndiye achatokuvakira imba. Mazuva ako akanga azokwana, wavata woendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ako, ndichamutsa mushure mako mumwe mwana wako pavana vako vakomana, mwana wako chaiye. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi. Iyeyo ndiye anofanira kundivakira imba. Ndichaita kuti umambo hwake hurambe huripo narini wose. Ini ndichange ndiri baba kwaari, iyewo ari mwana kwandiri. Handizobvisa mwoyo wangu paari sokubvisa kwandakauita pane mumwe akakutangira. Asi kutoti ndichaita kuti ukuru hwake hudzike midzi ari mumba mangu narini wose, ari muumambo hwangu nokusingapere. Umambo hwake hauperi narini wose.’ ” Natani akarondedzera Dhavhidhi mashoko iwaya ose achimutaurirawo chiratidzo ichochi chose. Mambo Dhavhidhi akapinda akagara zvake pana Tenzi akanamata achiti: “Ndiri aniwo zvangu nhai Mwari, Tenzi. Kana iyowo mhuri yokwangu, chiiwo zvayo, kundisvitsawo pakadai? Sokunge izvozvi zvisina kukwana kwamuri imi Mwari, masvika pokutotaura nezvichazoitika mangwana, namangwana ayo kumhuri yeni muranda wenyu. Ndiwo maitiro enyu here iwaya kuvanhu nhai Tenzi Mwari! “Pakadai apa, ini Dhavhidhi, chii chimwewo chandingataure kwamuri nokuremekedza kwamaiteni muranda wenyu? Munondiziva wani ini muranda wenyu. Muchiitireni muranda wenyu Tenzi, chiri chido chenyu zvenyu; makaita chinhu chikuru chakadai muchiita kuti zvinhu zvikuru zvose izvozvi zvizikanwe. Hakuna angamboenzaniswa nemi Tenzi, uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu imi, maererano nezvose zvatakanzwa munzeve dzedu. “Ndiani pasi pano akaita savanhu venyu vaIsiraeri rudzi runoti Mwari anoenda kundozvinunurira zvake kuti vave vanhu vake uye kuti mbiri yezita renyu idhume achivaitira mabasa makuru anotyisa nokudzingira kunze marudzi kuitira vanhu vake ivavo vaakanunura kuIjipiti. Makaitawo kuti vaIsiraeri vave vanhu venyu nokusingapere, imiwo Tenzi mukava Mwari wavo. “Zvino imi Tenzi chizadzikisai waro zvamakareva nezvangu ini muranda wenyu nemhuri yangu zvirambe zvakadaro, muite sokuvimbisa kwamakaita; kuti zita renyu rizivikanwe riende mbiri nokusingaperi zvichinzi, ‘Tenzi wehondo nehondo, Mwari waIsiraeri ndiye Mwari weIsiraeri.’ Uye kwamuri imba yangu ini Dhavhidhi muranda wenyu imire. Pamusana pokuti imi Mwari wangu mandidudzira pachena, ini muranda wenyu kuti muchandivakira imba ndokusakawo ini muranda wenyu ndaita simba rokuita munamato wakadai kwamuri. “Zvino Tenzi, imi ndimi Mwari mavimbisa zvinhu izvi zvakanaka kudai kuneni muranda wenyu, zvino chikomborerai waro mhuri yangu ini muranda wenyu kuti irambe yakangoti nemi kwati kwati nokuti imi Tenzi chamakomborera chakomborerwa nokusingapere.” Gare gare Dhavhidhi akakurira vaFirisitia akavaisa pasi pake, akatorera vaFirisitia Gati nemisha yaro. Akakurirawo Moabhu, vaMoabhu vakava varanda kuna Dhavhidhi vakatera mutero kwaari. Dhavhidhi akakurirawo Hadhadhiezeri mambo wokuZobha pedyo nokuHamati paakanga achienda kundodzikawo umambo hwake kurwizi rwaYufuratesi. Dhavhihdi akamutorera vachairi vengoro dzehondo chiuru chimwechete chavachairi navachairi mazana manomwe pamwechete navarwi vetsoka. Dhavhidhi akadimura matatira amabhiza ose engoro dzehondo ndokungosiya anokwanirana nezana rengoro dzehondo. VaSiria vokuDhamasikusi vakauya kuzobatsira Hadhadhiezeru mambo wokuZobha. Dhavhidhi akauraya varume makumi maviri ezviuru nezviuru zvevaSiria. Munyika yeSiria kuDhamasikusi Dhavhidhi akaisa zvikwata zvikwata zvavarwi, vaSiria vakava varanda kuna Dhavhidhi vachitotera mutero. Tenzi akaita kuti Dhavhidhi akurire kwose kwose kwaaienda. Dhavhidhi akatora nhoo dzendarama dzakanga dzakatakurwa namakurukota aHadhadhiezeru akadziunza kuJerusaremu. Dhavhidhi akakukuchawo ndarira yakawanda kwazvo kuTibhati nokuKuni, maguta aHadhadhiezeru. Ndiyo yakazogadziriswa naSoromoni zibhavhu rendarira riya ziguruguru nembiru nemidziyo yendarira. Tou mambo weHamati paakanzwa kuti Dhavhidhi akakurira hondo yose yaHadhidhiezeru, mambo weZobha, akatuma mwanakomana wake Hadhoramu kuna mambo Dhavhidhi kundomukwazisa nokumukorokotedza nokuti akanga arwisa Hadhadhiezeru akamukurira. Chaivapo ndechokuti, Hadhadhiezeru aigarorwisana naTou. Akatumira zvinhu zvakasiyasiyana zvinoti zvendarama nezvesirivha nezvendarira. Mambo Dhavhidhi akatsaurirawo zvinhu izvozvi kupira kuna Tenzi pamwechete nesirivha nendarama yaakanga akapamba kundudzi dzose idzi dzinoti: Edhomu neMoabhu nokuva Amoni nokuvaFirisitia neAmareki. Abhishai mwanakomana waZeruya akauraya vaEdhomu vanokwana zviuru gumi nezvisere muBani roMunyu. MuEdhomu imomo akaisa zvikwata zvikwata zvavarwi. VaEdhomu vose vakava varanda kuna Dhavhidhi. Tenzi akaita kuti Dhavhidhi akurire kwose kwose kwaaienda. Dhavhidhi uyu aitonga vanhu vake zvine ruenzaniso uye nomazvo chaimo. Izvozvo Joabhu mwana waZeruya aiva ari mutungamiriri wehondo, Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi ariye samunyori. Zadhoki mwanakomana waAhitubhu, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari ndivo vaiva vapristi, Shavhusha ari samunyori Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mukuru mukuru wevokuchengetedza mambo, maKereti namaPereti, ukuwo vana vaDhavhidhi vakomana vari machinda amambo. Mushure mezvizvi, Nahashi mambo wavaAmoni akafa, ndokubva mwanakomana wake amutsiva pakutonga. Dhavhidhi akati, “Ndicharamba ndiine mwoyo wakanaka kuna Hanani mwanakomana waNahashi nokuti baba vake vakandiitirawo mwoyo wakanaka.” Saizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundomubata maoko pamusana pababa vake. Makurukota aDhavhidhi akasvika kuna Hanuni munyika yavaAmoni kuzomubata maoko. Asi machinda avaAmoni akati kuna Hanuni, “Munofunga kuti izvozvi Dhavhidhi kukutumirai nhume kuzokubatai maoko kwaaita uku kuremekedza baba venyu nhai? Makurukota ake haana here kuuya kwamuri kuzoongorora nokukurira nokusora nyika ino?” Saka Hanuni akabata makurukota aDhavhidhi akavaveura, akacheka napakati hanzu dzavo nechapahudyu akavati vaende, ivo ndokubva vaenda. Zvavanhu ivavo, pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akatuma vanhu kundovachingura nokuti vakanga vachinyara zvikuru kwazvo. Mambo akati, “Imborambai muri kuJeriko ikoko kudzamara ndebvu dzenyu dzamera mugozoti modzoka kuno.” VaAmoni pavakaona kuti vatomutsa ruvengo naDhavhidhi Hanuni navaAmoni vakatumira mari yesirivha inorema makirogiramu zviuru makumi matatu ane zvina yokukwereta nayo ngoro dzehondo dzokumboshandisa pamwechete navachairi vadzo kuMesopotamia nokuAramaaka nokuZobha. Vakakwereta ngoro dzehondo zviuru makumi matatu ane zviviri, vakati mambo wokuMaaka auyewo nehondo yake. Vakauya vakadzika matendhe avo pakatarisana neMedhebha. VaAmoni vakakokorodzwa mumaguta avo vakauya kuhondo. Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vano chaivo. VaAmoni vakauya vakaronganirana hondo pasuo guru reguta, madzimambo akanga auya vakanga vari pavo voga musango. Pakaona Joabhu kuti hondo yavavinga yatoita zvokuvakomba mberi neshure, akasarudza vamwe varwi mukati mavakanga vasarudzwa muIsiraeri vaya, akavaronga kuti varwise vaSiria. Vamwe varwi vake vose akavaisa mumaoko omunun'una wake Abhishai akavaronga kuti varwisane navaAmoni. Akabva ati, “Kana ndichinge ndava kukurirwa navaSiria, iwe unouya kuzondibatsira, asi kana vaAmoni vava kukukurira, ini ndichazokubatsira. Tsunga mwoyo tiite zvechirume tichiitira vanhu vedu namaguta aMwari wedu. Mwari ngaaite kuda kwake.” Saizvozvo Joabhu navanhu vaaiva navo vakatanga kuvinga vaSiria kundovarwisa, ivo vakabva vati ware kumutiza. VaAmoni pavakangoona kuti vaSiria vatiza, vakaitawo zvimwechetezvo ndiye ware kutiza Abhishai munun'una waJoabhu vakapinda muguta. Joabhu akazosvika kuJerusaremu. Asi vaSiria pavakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakatumira nhume dzikauya navaSiria vokumhiri kwaYufuratesi vachitungamirirwa naShofaki mutungamiriri wehondo yaHadhadhiezeru. Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akakokorodza Isiraeri yose pamwechete akayambuka Jorodhani akasvika kwavari, akaronga hondo yake kuti achivarwisa, Dhavhidhi paakanga aronga hondo yake kurwisa vaSiria, vakarwa naye. VaSiria vakabva vaparamuka kutiza Isiraeri. Dhavhidhi akarakatisa kuuraya mazana manomwe avachairi vengoro nezviuru makumi mana avarwi vetsoka. Akaurayawo Shofaki mutungamiri wehondo yavo. Makurukota aHadhadhiezeru paakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakaita chibvumirano neIsiraeri. Vakaita chibvumirano kuti pave nokuwirirana naDhavhidhi vakabva vava varanda vake. Naizvozvo vaSiria vakazenge vava kutya kubatsirazve vaAmoni. Mumwaka wepfumvudza panguva inoenda madzimambo kuhondo, Joabhu akabuda nehondo vakandopamba munyika yevaAmoni vakaendawo vakakomba guta reRabha. Izvozvo Dhavhidhi aiva asara ari muJerusaremu. Joabhu akarwisa Rabha akarikurira. Dhavhidhi akatorera mambo wavo ngundu youmambo mumusoro. Akaona kuti yainge ichirema makirogiramu aikarosvika makumi matatu nemana iri yendarama. Yaive nerimwe dombo raikosha kwazvo. Yakadzikwa mumusoro maDhavhidhi. Akakukucha muguta imomo zvinhu zvakawanda kwazvo zvokupamba. Akatapamo vanhu vaivamo akavaisa pabasa rechibharo rokushanda namajeko namapadza namatemo. Ndozvakaitwa naDhavhidhi kumaguta ose avaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakazodzokera zvavo kuJerusaremu. Mushure maizvozvo kwakazomuka hondo nevaFirisitia kuGezeru. Sibhekai wokuHusha uya ndopaakauraya Sipai aiva mumwe wechizvarwa cheHofori, vaFirisitia vakabva vava kutongwa navamwe. Kwakazoita zvakare imwe hondo nevaFirisitia ndokubva Erihanani mwanakomana waJairi auraya Rahimi mukoma nomunun'una naGoriyati wechiGiti. Rwiriko rwepfumo rake rwainge mutandariko womuruki. Kwakazoitazve imwe hondo kuGati, ikoko kwaiva nerimwe zirume rino chairo. Mumaoko raiti uku minwe mitanhatu, uku mitanhatu, kutsokawo rakati uku zvigunwe zvitanhatu, uku zvitanhatu, pamwechete makumi maviri namana. Aivawo mumwe wechizvarwa chehofori. Paakatafurira Isiraeri, Jonatani mwanakomana waShimei aiva mukoma nomunun'una naDhavhidhi akamuuraya. Ivava ava vaiva zvizvarwa zvehofori dzomuGati. Vakaurayiwa naDhavhidhi navanhu vake. Satani akamirisana neIsiraeri akaisa muna Dhavhidhi mumwewo mweya wokuverenga vaIsiraeri. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu mutungamiriri wehondo yake, “Enda uverenge vaIsiraeri kubvira kuBheerishebha kusvikira kwaDhani uzonditaurira ndigoziva kuti kune vanhu vangani.” Asi Joabhu akati, “Hongu zvazvo, dai Tenzi awedzera vanhu kazana kakazanirana kupfuura zvavari kuri zvino! Asi nhai changamire mambo, ko inga vanhu vose ivava varanda venyu wani, changamire. Zvino madireiko kuita chinhu chakadai? Madirei kuparira Isiraeri mhosva yakadai?” Zvakataurwa namambo ndizvo zvakatozobudirira pane zvaJoabhu. Ipapo Joabhu akabva paye akabvongodza Isiraeri yose akazodzokera kuJerusaremu. Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandi hwavanhu hwakadai izvi: KwaIsiraeri kwose kwaiva nemiriyoni imwechete ine zana rezviuru zvavarume vokurwa namapakatwa, kwaJudha kuine mazana ezviuru ane zviuru makumi manomwe avarume vokurwa namapakatwa. Asi haana kunge averenga vokwaRevhi nevokwaBhenjamini pamwechete navo nokuti chirevo chamambo chakaramba kunyatsopinda Joabhu mumwoyo. Asi Mwari haana kufadzwa naizvozvi izvi akabva arova Isiraeri neshamhu yokuranga. Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ndakatadza zvikuru kwazvo nezvandakaita izvi. Zvino ndateterera, ndiregerereiwo chitadzo changu ini muranda wenyu nokuti zvandakaita izvi ndezvoupenzi chaizvo.” Mwari akati kuna Gadhi muoni wokwaDhavhidhi, “Enda uti kuna Dhavhidhi zvanzi naTenzi sarudza chaungaite pazvitatu izvi zvandiri kukupa.” Nokudaro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akamuti, “Zvanzi naTenzi, sarudzai chamungade; mungade here kuti muno munyika yenyu muve namakore matatu enzara, kana kuti mupedze mwedzi mitatu muchingotiza vavengi venyu vachikurondai, kana kuti mazuva matatu muine pfumvu yebakatwa raTenzi muno munyika yenyu murohwe nedenda, mutumwa waTenzi abvongodze nyika yose yeIsiraeri achiparadza. Zvino dai mukapafunga mundipewo mhinduro yokundopa andituma.” Dhavhidhi ndokuti kuna Gadhi, “Inga ndazotambura zvino. Rega zvako ndirangwe zvangu naTenzi nokuti ngoni dzake dzakawanda kwazvo. Asi zvokuti munhu ave iye wokundiranga, aiwa.” Saizvozvo Tenzi akarova Isiraeri nedenda, kukafa varume vokwaIsiraeri zviuru makumi manomwe. Mwari akatuma mutumwa wacho kuJerusaremu kundoriparadza. Paakanga zvino oda kuti achiriparadza, Tenzi achizvionawo, akanyevenuka mwoyo akarega kuwana chakaipa chaakazovaita. Akati kumutumwa akanga achiita basa rokuparadza wacho, “Zvakwana chirega.” Izvozvo mutumwa iyeyo akanga amire pedyo neburiro raOrinani wechiJebhusi. Dhavhidhi akatarisa akaona mutumwa waTenzi amire muchadenga, pakati pedenga napasi muruoko akabata bakatwa rakatoburitswa muhara akarinangisa paJerusaremu, ndokubva iye Dhavhidhi navakuru vakuru vapfeka hanzu dzamasaga ndiye nouso pasi zvambarara. Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Inga wani ndini ndakati kuverengwe vanhu. Ndini ndakatadza ndakaita zvakaipa kwazvo. Ko hwai idzika dzakapareiwo? Ndapota zvangu nhai Tenzi, Mwari wangu. Dai mukachiranga ini nevemba yokwababa vangu, murege zvenyu kuonesa nhamo vanhu ava.” Mutumwa waTenzi akatuma Gadhi kundotaurira Dhavhidhi kuti iye Dhavhidhi akwire andovakira Tenzi atari paburiro raOrinani wechiJebhusi. Nokudaro Dhavhidhi akaendako sokutaura kwakanga kwaitwa naGadhi achizvitaura nezita raTenzi. Izvozvo Orinani akanga achipura zvake koroni. Akati tarisei onei mutumwa, vana vavo vakomana vavaiva navo vakabva vandohwanda. Dhavhidhi akasvika kuna Orinani. Orinani akati tarisei ndokuona Dhavhidhi akabva paburiro akandoti pana Dhavhidhi uso pasi kota kota kuri kuombera mambo. Dhavhidhi akati kuna Orinani, “Ndipewo chidzengerere ichi choruware urwu kuti ndivakirepo Tenzi atari munditengesere zvenyu nemari yacho chaiyo yakakwana kuitira kuti denda rimiswe kuvanhu.” Orinani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Torai zvenyu changamire mambo muite zvenyu zvamunoda. Chionaika ndinokupaiwo mombe dzomupiro wokupisa nehuni dzacho nezvirhei zvokupirisa izvi nekoroni yomupiro wembesanwa. Zvose izvozvo ndini ndichabvisa.” Asi mambo Dhavhidhi akati kuna Orinani, “Kwete, nokuti zvokutenga ndinofanira kutotenga nemari yakakwana. Handifanire kupira kuna Tenzi zvenyu zvandinenge ndakutorerai kana kupira mipiro yokupisa yepachena.” Saizvozvo Dhavhidhi akapa Orinani mazana matanhatu emari yemashekeri yendarama yakaerwa yokutenga chidzengerere ichocho. Dhavhidhi akavakira Tenzi atari ipapo akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamupindura nomoto wakabva kudenga akatungidza mupiro wokupisa paatari. Tenzi akabva audza mutumwa uya, mutumwa akadzorera bakatwa rake muhara maro. Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Tenzi amupindura paruware rwaOrinani muJebhusi akapirapo zvibayiro zvake. Chaivapo ndechichi chokuti, tendhe rinoera raTenzi riya rokugadzirwa naMosesi murenje neatari yemipiro yokupisa zvakanga zvichiri kuGibheoni panzvimbo yakatunhumara yokuteurira panguva iyoyo. Asi Dhavhidhi apa haana kukwanisa kuendako kundonzwa kuti Mwari anoti kudii nazvo pamusana pokuti aitya bakatwa romutumwa waTenzi. Dhavhidhi ndopaakati, “Pano apa ndopachava nemba yaTenzi Mwari, ipo pano ndopachava neatari yomupiro weIsiraeri wokupisa.” Dhavhidhi akati kuunganidzwe pamwechete vatorwa vaiva munyika yeIsiraeri akabva aronga vokuveza mabwe kuti vaveze mabwe okuvakisa imba yaMwari. Dhavhidhi akaunganidzawo mirwi nemirwi yesimbi dzokupfura zvipikiri zvamagonhi emisuo mikuru nesimbi dzokubatisapo pamwechete nendarira isingambozivana kuwanda namapango omuti womusidhari asingaverengeki nokuti vokuSidhoni nevokuTire vakaigira Dhavhidhi musidhari wakawanda kwazvo pamusana pokuti Dhavhidhi aiti, “Mwanangu Soromoni uyu achiri muduku haasati agara nebasa, zvino imba yacho iyi ichavakirwa Tenzi inofanira kuva imba chaiyo yamandiriri, idhume mbiri nomukurumbira nyika yose. Naizvozvo ndichafanoigadzirira.” Nokudaro Dhavhidhi akaunganidza mirwi nemirwi yezvinhu zvokuvakisa asati afa. Akazodaidza mwanakomana wake Soromoni akamuti anofanira kuvakira Tenzi imba, yaTenzi, Mwari weIsiraeri. Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanangu ndakanga ndine pfungwa mumwoyo mangu yokuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wangu. Asi shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa rakawanda ukarwa hondo dzakakura saka iwe haufaniri kundivakira imba yokuisa zita rangu nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo mumeso mangu panyika. Chinzwa, uchabereka mwana mukomana achava munhu worunyararo. Ndichaita kuti ave norugare navavengi vake nokuti zita rake richanzi Soromoni. Ndichapa rugare norunyararo kuIsiraeri mumazuva ake. Ndiye achavaka imba yokuisa zita rangu. Achava mwana kwandiri ini ndiri baba kwaari. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi muIsiraeri narini wose.’ “Zvino Tenzi ngaave newe ugobudirira kuvaka imba yaTenzi, Mwari wako sokutaura kwaakaita nezvako. Chete dai Tenzi akupa ungwaru nokunzwisisa kuitirawo kuti paanozokuti utonge Isiraeri uzochengeta mutemo waTenzi, Mwari wako. Ndopauchabudirira ukange wachenjerera kuchengeta zvirevo nemirao yakatemerwa Mosesi naTenzi kuti ape vaIsiraeri. Shinga utsunge mwoyo usatye kana kurasa mwoyo. Ndakatambudzika kwazvo ini kuunganidza zvinhu zvemba yaTenzi zvinoti: zviuru zvitatu zvematani endarama zvina matani mazana mana nesirivha inorema matani zviuru makumi matatu namana, kwouya ndarira nesimbi isingambozivana nokuti yakawanda kwazvo kwozouya mapango namatombo andakaunganidzawo. Iwe unofanira kuwedzerawo pana izvozvi. Vanhu vokushanda unavo vakawanda vanoti vavezi vamatombo nevokuvaka namatombo navavezi nenyanzwi dzemabasa akasiyana-siyana dzisingaverengeki, mhizha dzendarama nesirivha nendarira nesimbi. Wochiita izvozvo! Tenzi ngaave newe!” Dhavhidhi akaudzawo vatungamiriri vose veIsiraeri kuti vanofanira kubatsira mwanakomana wake Soromoni achiti, “Handiti Tenzi, Mwari wenyu anemi here? Haana kukupai here runyararo kumativi ose? Ndinodaro nokuti akaisa vomuno munyika ino mumaoko angu. Nyika iyoyi yava pasi paTenzi navanhu vake. Zvino pfungwa dzenyu nomwoyo yenyu ngazvichiva pakutsvaka Tenzi, Mwari wenyu. Imi mochitomira muvake nzvimbo inoera yaTenzi Mwari kuitira kuti bhokisi rechitenderano raMwari nemidziyo inoera yaMwari iiswe mumba yakavakirwa kuisa zita raTenzi.” Dhavhidhi paakanga zvino akwegura mazuva ake aendadzanawo kwazvo, akagadza mwanakomana wake Soromoni umambo hweIsiraeri. Dhavhidhi akaunganidza vatungamiriri vose veIsiraeri navapristi nevaRevhi. Kwakaverengwa vokwaRevhi, kubvira pane vane makumi matatu amakore zvichikwira pakaita makumi matatu ezviuru zvavarume ane zviuru zvisere. Dhavhidhi akati, “Makumi maviri ezviuru ane zviuru zvina zvaivava ava ngavave vokuona nezvebasa repamba yaTenzi, zviuru zvitanhatu vova vakuru vakuru navatongi, zviuruwo zvina vave vachengetedzi vokumisuo mikuru, vamwe zviuru zvinawo vari vokurumbidza Tenzi nezvokuridzisa mumhanzi zvandakagadzirira kurumbidza.” Dhavhidhi akavaronga mumapoka zvichifambirana navanakomana vokwaRevhi achiti vokwaGerishomu nevokwaKohati nevokwaMerari. Vanakomana vokwaGerishomu paiti Radhani naShimei. Vanakomana vaRadhani ndiJehieri mukuru wacho, naZetamu naJoeri, vatatu. Vana vaShimei vakomana ndiSheromoti naHazieri naHarani pautatu hwavo kudaro. Ivava ndivo vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwaRadhani. Vanakomana vaShimei ndiJahati naZina naJeushi naBheriya. Ivava vari vana kudai ndovanakomana vaShimei. Johati ndiye mukuru wacho, wechipiri ari Ziza. Asi Jeushi naBheriya vaiva vasina vana vakomana vazhinji nokudaro vakazongozikanwa savanhu vemhuri imwechete. Vanakomana vaKohati ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri vari vana kudaro. Vanakomana vaAmuramu ndiAroni naMosesi. Aroni akatsaurwa kuti ave ndiye wokuteketera kuna Mwari zvinhu zvinoera kwazvo kuti iye navanakomana vokwake vave vokupisa rusenzi pana Tenzi narini wose uye kumushandira nokukomborera vanhu muzita rake nokusingaperi. Asi vanakomana vaMosesi munhu waMwari mazita avo aitaurwa mukati mevedzinza rokwaRevhi. Vana vaMosesi vakomana ndiGerishomu naEriezeru. Vanakomana vaGerishomu ndiShebhueri mukuru wacho. Vanawo vakomana vaEriezeru ndiRehabhiya mukuru wacho. Eriezeru uyu aiva asina vamwe vana vakomana, asi Rehabhiya aiva nezanzwe ravanakomana kuwanda. Vanakomana vaIzhari ndiSheromiti mukuru wacho. Vanakomanawo vaHebhuroni ndiJeriya mukuru wacho wechipiri ndiAmariya, wechitatu ari Jahazieri, Jekameamu ariye wechina wacho. Vanakomana vaUzieri ndiMika mukuru wacho wechipiri ari Ishiya. Vana vaMerari vakomana ndiMahiri naMushi. Vanakomana vaMahiri ndiEreazari naKishi. Ereazari akafa asina vana vakomana aingova navana vasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi ndivo vakavaroora. Vanakomana vaMushi ndiMahiri naEdheru naJerimoti pautatu hwavo kudaro. Ivava ndivo vanakomana vokwaRevhi imba nemba vari vatungamiriri mudzimhuri dzokwavo. Ndouwandi hwavo sokunyorwa kwavo mazita munhu nomunhu vachiverengwa kubvira vane makumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura ipapa vokuzoita basa romumba yaTenzi nokuti Dhavhidhi akareva paakati, “Tenzi, Mwari weIsiraeri aita kuti vanhu vake vave norunyararo uyewo iye aita Jerusaremu musha wake narini wose. Chimwezve ndechokuti kuvaRevhi, basa rokutakura tendhe rinoera kana mumwe mudziyo zvawo wokushandisamo hapachisina.” Pamusana pemazwi aya aDhavhidhi okupedzesera, vaRevhi vakaverengwa vaibvira pamakore makumi maviri zvichikwira. Saka basa ravo rakanga rava kuzova rokubatsira vanakomana vokwaAroni kushanda pamba yaTenzi nokuchengetedza zvivanze zvacho, nedzimba dzepo nokuchenura zvose zvinoera nokuita basa rose rose zvaro repamba yaMwari; nokubatsirawo pachingwa chokuisa pana Tenzi uye upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwomupiro wembesenwa nechingwa chakati fatata chisina mbiriso nomupiro wokubika nomupiro waikanyiwa namafuta eorivhi uyewo kupima uwandi nokuera mwero yemhando nemhando dzose dzezvinhu. Ndivo zvino vakanga vava vokumira mangwanani oga oga vachitenda Tenzi vachimurumbidza, manheru voitawo zvimwechetezvo; napose paipirwa kuna Tenzi mipiro yokupisa pamisi yeSabata neyokugara kwemwedzi namamwe mazuva makuru zvichifambiranawo nouwandi hwavo sezvavakanzi vagare vachiita pana Tenzi. Uyewo ndobasa ravainge vofanira kuita rokuonawo nezvetendhe rokusanganira nenzvimbo inoera vachitumwa navanakomana vaAroni hama dzavo kuitira basa repamba yaTenzi. Zvikwata zvavanakomana vokwaAroni ndezvizvi izvi: vanakomana vaAroni ndiNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. Asi Nadhabhu naAbhihu vakatangira baba wavo kufa. Vakafa vasina vana. Saka Ereazari naItamaru ndivo vakava vapristi. Dhavhidhi akabatsirwa naZadhoki mumwe wavanakomana vokwaEreazari naAhimereki mumwe wavanakomana vokwaItamaru akavaronganisa maererano namabasa avo pabasa ravo. Mumhuri yokwaEreazari maiva navatungamiriri vakawanda kupfuura vokwaItamaru. Ipapo vokwaEreazari vakarongwa muzvikwata gumi nezvitanhatu, vokwaItamaru vakarongwa muzvikwata zvisere. Pamusana pokuti muvanakomana vokwaEreazari navokwaItamaru makanga muine vakuru vakuru vepanzvimbo inoera navakuru vakuru vokwaMwari, kuti vavaise muzvikwata izvozvo vakashandisa nzira imwecheteyo yechin'ange. Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri muRevhi ndiye aivanyora pana vanhu ava vanoti: mambo namakurukota ake nomupristi Zadhoki naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari navatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzavapristi nedzavaRevhi vachimboti torei mutungamiriri kumhuri yokwaEreazari vozotizve torei mutungamiriri kumhuri yokwaItamaru. Akatanga kubuda pachin'ange ndiJehoyaribhu tevere Jedhaya wechitatu ari Harimu wechina ndiSeorimu wechishanu Marikiya wechitanhatu Miyamini wechinomwe ari Hakozi wechisere ndiAbhiya wechipfumbamwe ndiJeshua wegumi ariwo Shekaniya wegumi nechiposhi Eriyashibhu wegumi nechipiri ndiJakimu wegumi netatu ari Hupa wegumi nechina ariwo Jeshebheamu wegumi nechishanu ndiBhiriga wegumi nechitanhatu ari Imeru wegumi nechinomwe ndiHeziri wegumi nechisere ari Hapizezi wegumi nechipfumbamwe ndiPetahiya wechimakumi maviri ari Jehezikeri wemakumi maviri nechiposhi ariwo Jakini wamakumi maviri nechipiri ndiGamuri wamakumi maviri nechitatu ari Dheraya wemakumi maviri nechina ndiMaaziya. Ivava ndivo vakapiwa basa rokupota vachipinda mumba yaTenzi namazoro avo avakaitirwa nababa wavo Aroni sezvaakanzi aite naTenzi, Mwari weIsiraeri. Vamwe vose vavanakomana vokwaRevhi ndavava ava: kuvana vokwaAmuramu ndiShubhaeri kuvana vaShubhaeri ndiJedheya. Pavana vokwaRehabhiya ndiIshiya mukuru wacho. Kune vokwaIzhari ndiSheromoti. Vana vokwaSheromoti ndiJahati. Kuvana vakomana vaHebhuroni ndiJeriya mukuru wacho wechipiri ndiAmariya wechitatu ari Jahazieri Jekameamu ariye wechina. Kuvanakomana vaUzieri ndiMika vanawo vaMika ndiShamiri. Ishiya mukoma nomunun'una naMika havanoi vanakomana vake. Pavana vaIshiya ava ndiZekariya. Kuvanakomana vaMerari vanaMahiri naMushi. Muvanawo vaJaaziya ndiBheno. Pavanawo vaMerari aberekwa naJaaziya vakatorwa ndiBheno naShohamu naZakuri naIbhuri. Kwotiwo kwaMahiri ndiEreazari, akanga asina vana vakomana. Kwozoti kune vokwaKishi ndiJerahimieri. Mwanakomana waMushi ndiMahiri naEdheru naJerimoti. Ivava ava ndivo vanakomana vokwaRevhi imba nemba. Vakaitawo chin'ange sezvakaitawo hama dzavo dzokwaAroni paiva navanhu ava vaiti mambo Dhavhidhi naZadhoki naAhimereki navatungamiriri vavo vedzimhuri dzokwavo dzavapristi nedzevaRevhi. Vakoma navanun'una mumhuri idzodzi vakangoitirwa zvimwechetezvo. Dhavhidhi navakuru vakuru vebasa racho vakasarudzawo vokuita basa, vamwe vevanakomana vokwaAsafu nevokwaHemani nevokwaJedhutuni kuti vave vokuporofita kana kwaridzwa zvipendani namadimbwa namakwakwakwa outare. Mazita avanhu vakanyorwa vokuita basa iri namabasa avo akamira akadai izvi: kuvanakomana vokwaAsafu paiti Zakuri naJosefi naNetaniya naAsharera. Vana vaAsafu vaitungamirirwa naiye Asafu vachizviita vari mumaoko amambo, kune vokwaAjedhutuni, vana vaiye Jedhutuni paiti Gedhariya naZeri naJeshaya naShimei naHashabhiya naMatitiya vari vatanhatu kudaro. Vaingewo vachitungamirirwa nababa wavo Jedhutuni vaiporofitawo kwaridzwa zvipendani vachitenda nokurumbidza Tenzi; kune vokwaHemani, vanakomana vaHemani paiva naBhukiya naMataniya naUzieri kwouya Shubhaeri naJerimoti naHananiya naHanani kwoti Eriyata naGidhariti naRomamitiezeru kwozouya Joshibhekasha naMaroti naHotiri naMahazioti. Vose ivava vaiva vanakomana vaHemani muoni wokwamambo maereranowo nechitsidzo chaMwari chokuvakwidziridza nokuti Mwari aiva apa Hemani vana vakomana gumi navana navana vasikana vatatu. Vose ivava vaitungamirirwa nababa wavo mune zvokuimba izvi mumba yaTenzi vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani pane zvainge zvichiitwa mumba yaMwari. Zvaiitwa naAsafu naJedhutuni naHemani vaizviita vari mumaoko amambo. Uwandi hwavo pamwechete nehama dzavo hwevakanga vadzidziswa kuimbira Tenzi, vose zvavo vaiva noumhisha hwacho vakanga vari mazana maviri ane makumi masere ane vanhu vasere. Vakavagovanisa mabasa avo nechin'ange zvimwechetezvo mukuru nomudiki, mudzidzisi nomudzidzi. Kune vokwaAsafu, pakutanga chin'ange chakaenda kuna Josefi pechipiri kuna Gedhariya iye nehama dzake navanakomana vake, vari gumi navaviri; pechitatu kuna Zakuri, iye navanakomana vake, nehama dzakewo, vari gumi navaviri; pechina kuna Iziri navanakomana vake, nehama dzake, vari gumi navaviri; pechishanu kuna Netaniya navanawo vake vakomana nehama dzakewo, vari gumi navaviri; pechitanhatu kuna Bhukiya navanakomana vakewo nehama dzake, vari gumi navaviri; pechinomwe kuna Jesharera navanakomana vake nehamawo dzake, vari gumi navaviri; pechisere kuna Jeshaya navanakomanawo vake nehama dzake, vari gumiwo navaviri; pechipfumbamwe kuna Mataniya navana vakewo vakomana nehama dzake, vari gumi navaviri; pechigumi kuna Shimei navana vakomana vake nehama dzake, vari gumi navaviri; pegumi nechiposhi kuna Azareri navana vake vakomana nehama dzake, vari gumi navaviri; pegumi nechipiri kuna Hashabhiya navanakomana vakewo nehama dzake, vari gumi navaviri; pegumi nechitatu kuna Shubhaeri navanawo vakomana vake nehama dzake, vari gumi navaviri; pegumi nechina kuna Matitiya navanakomana vake nehama dzake, vari gumi navaviri; pegumi nechishanu kuna Jeremoti navanakomanawo vake nehama dzake, vari gumi navaviri; pegumi nechitanhatu kuna Hananiya navanakomana vakewo nehama dzake, vari gumi navaviri; pegumi nechinomwe kuna Joshibhekasha navanakomana vake nehamawo dzake, vari gumi navaviri; pegumi nechisere kuna Hanani navana vake vakomana nehama dzake, vari gumi navaviri; pegumi nechipfumbamwe kuna Maroti navanawo vake vakomana nehama dzake, vari gumi navaviri; pechimakumi maviri kuna Eriyata navanakomana vake nehamawo dzake, vari gumi navaviri; pemakumi maviri nechiposhi kuna Hotiri navanawo vake vakomana nehama dzake, vari gumi navaviri; pemakumi maviri nechipiri kuna Gidhariti navanakomana vakewo nehama dzake, vari gumi navaviri; pemakumi maviri nechitatu kuna Mahazioti navana vake vakomana nehamawo dzake, vari gumi navaviri; pemakumi maviri nechina kuna Romamutiezeru navanakomanawo vake nehama dzake, vari gumi navaviri. Zvikwata zvevachengetedzi vokumisuo mikuru zvakanga zvakamira zvakadai izvi: kune vokwaKora paiti Mesheremiya mwanakomana waKore wevana vokwaAsafu. Mesheremiya aiva navana vake vakomana ava vanoti: Zekariya dangwe racho achitevedzerwa naJedhieri wechitatu ari Zebhadhiya wechina ndiJatinieri Eramu ari wechishanu wechitanhatu ndiJehohanani wechinomwe ari Eriehoenai. Obhedhiedhomu aiva navanakomanawo vaiti: dangwe racho Shemaya tevere Jehozabhadhi wechitatu ndiJoa wechina ari Sakari wechishanu ndiNetaneri wechitanhatu ari Amieri Isakari ariye wechinomwe wechisere ndiPeuretai nokuti Mwari akavakomborera. Uyewo mwanakomana wake Shemaya akaberekawo vana vakomana vakava vatungamiriri vomudzimhuri dzokwavo nokuti vaiva mvumba chaidzo dzamagamba. Vanakomana vaShemaya ndiOtini naRefaeri naObhedhi naErizabhadhi vaiva nehama dzaiva noushasha pakuita zvinhu vana Erihu naSemakiya. Vose ivava ava vaiva vanakomana vokwaObhedhiedhomu navana vavo vakomana nehama dzavo vari shasha chaidzo dzinogona kuita basa radzo. Vose pamwechete vokwaObhedhiedhomu vaiva makumi matanhatu navaviri. Mesheremiya aiva navanakomana nehama dzake shasha chaidzo, vose vari gumi navasere. Hosa mumwe wavanakomana vokwaMerari aivawo navana vakomana vaiti: Shimuri, mukuru wacho, kunyange zvazvo akanga asiriye dangwe baba vake ndivo vakamuita mukuru. Aitevedzerwa naHirikiya wechitatu ndiTebheriya, wechina ari Zekariya. Vanakomana vaHosa nehama dzake vose vaiva gumi navatatu. Zvikwata izvi zvavachengetedzi vepamisuo mikuru zvichifambiranawo navakuru vakuru vazvo vaivawo namabasa sezvaingoitawo hama dzavo rokushanda mumba yaTenzi. Suo guru roga roga raipiwa vanhu varo vaigovaniswa nechin'ange zvimwechetezvo imba nemba mukuru nomudiki. Rokumabvazuva kwacho chin'ange chakaenda kuna Sheremiya. Vakaitirawo mwanakomana wake Zekariya muchinda ane ungwaru chin'ange chikaratidza kuti ndowekuchamhembe. Chin'ange chakaratidza kuti Obhedhiedhomu ndowekumaodzanyemba chikapa vanakomana vake basa rokudzimba dzaichengeterwa zvinhu. Kuna Shupimu naHosa chakaratidza kuti ndowekumadokero pasuo guru reShareketi pamugwagwa unokwira uya, vaiita mazoro kupachengetedza. Kumabvazuva kwainge kuna vaRevhi vatanhatu pazuva kuchamhembe, vana pazuva, kumaodzanyemba, vana pazuva vaviri vaviri padzimba dzokuchengetera zvinhu, panzvimbo yemo yainzi Paribhari kumadokero vari vana pamugwagwa, kwouya vaviri paParibhari. Izvozvi izvi ndizvo zvikwata zvavachengetedzi vokumisuo mikuru wokwaKora navanakomana vokwaMerari. PavaRevhi, Ahiya aiva nebasa rokuona nezvedzimba dzaichengeterwa upfumi hwemba yaMwari nomaichengeterwa zvipo zvainge zvateketerwa kuna Mwari. Kune vanakomana vokwaRadhani, vana vokwaGerishoni vakaberekwa naRadhani vaiva vatungamiriri vokumba yokwaRadhani wokwaGerishoni iyeyu ndewekwaJehieri. Vanakomana vaJehieri ndiZetamu muJoeri munun'una wake, vaiva nebasa rokuona nezvedzimba dzaichengeterwa upfumi hwemba yaTenzi. Kune vokwaAmuramu vaiti vokwaIzhari nevokwaHebhuroni nevokwaUzieri: Akasarudzwa kuva changamire mukuru wokuona nezvemaichengeterwa upfumi ndiShebhueri mwanakomana wokwaGerishomu mwana waMosesi. Hama dzake vokwaEriezeru vakanga vakamira vakadai izvi: mwanakomana waEriezeru ndiJeshaya waJeshaya ndiJoramu waJoramu ari Zikiri waZikiri ariwo Sheromoti. Sheromoti uyu nehama dzake vaiva vokuona nezvemaichengeterwa zvipo zvainge zvakateketererwa kuna Mwari. Zvakanga zvateketererwa kuna Mwari namambo Dhavhidhi navatungamiriri vedzimhuri dzokwavo navatungamiriri vezviuru nevemazana navatungamiriri vehondo. Vakatora zvimwe zvinhu pane zvakanga zvapambwa kuhondo vakazvipa sechipo chokuchengetedza nacho imba yaTenzi. Maivawo nezvakanga zvateketerwa kuna Mwari naSamueri muoni naSauro mwana waKishi naAbhuneru mwana waNeru, naJoabhu mwana wavaZeruya nezvose zvakanga zvateketerwa kuna Mwari zvaive mumaoko aSheromoti nehama dzake. Kune vokwaIzhari Kenaniya nevana vake vakomana akapiwa basa rokunze savanyori navatongi. Kune vokwaHebhuroni, Hashabhiya nehama dzake chiuru nemazana manomwe vari vanhu vanoushasha pakuita zvinhu ndivo vaiva vatariri veIsiraeri kumadokero kwaJorodhani mune zvose zvainangana nebasa raMwari nezvainangana nebasa ramambo. Pane vokwaHebhuroni, Jeriya ndiye waiva changamire wavo pazvizvarwa zvavo zvose mumba yekwavo. Mugore rechimakumi mana rokutonga kwaDhavhidhi kwakatsvangwa kukaonekwa mvumba dzemagamba okurwa hondo kuvanhu vokuJazeru kuGireadhi. Mambo Dhavhidhi akasarudza iyeyu nehama dzake vari zviuru zviviri zvine mazana manomwe zvavarume shasha chaidzo dzebasa vari vatungamiriri vokumhuri dzokwavo kuti vave vokutungamirira vekwaRubheni, nevekwaGadhi nevechimwe chikamu chedzinza rokwaManase mune zvose zvainangana nezvaMwari nezvainanganawo nenyaya dzokwaMambo. Aya ndiwo mazita avanhu veIsiraeri, vakuru vakuru vedzimhuri dzamadzibaba navatungamiriri vezviuru navamazana namakurukota aishandira mambo mune zvose achitsivana pabasa mwedzi woga woga. Chikwata choga choga chaiva nezviuru makumi maviri nezvina. Chikwata chokutanga, chaiva chomwedzi wokutanga chaitungamirirwa naJashobheamu mwanakomana waZabhudhieri. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Aiva wechizvarwa chokwaFeresi, ari mukuru wavatungamiriri vehondo vose vemwedzi wokutanga wacho. Chikwata chechipiri, chaiva chomwedzi wechipiri chaitungamiririrwa naDhodhai muAhohi. Mikiroti ndiye aiva mukuru wechikwata chake. Chikwata ichi chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Chikwata chechitatu, chaiva chomwedzi wechitatu chaitungamirirwa naBhenaya mwanakomana womupristi Jehoyadha ariye changamire. Chikwata chake chaivawo navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Iyeyu ndiye Bhenaya uya aiva rimwe gamba rokurwa hondo mukati memakumi matatu aye ari mutungamiriri wamakumi matatu acho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aiva mukuru wechikwata chake. Chikwata chechina, chaiva chomwedzi wechina chaitungamirirwa naAsaheri munun'una waJoabhu achitevedzerwa nomwanakomana wake Zebhadhiya. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Chikwata chechishanu, chaiva chemwedzi wechishanu chaitungamirirwa naShamuhuti wokwaIzhari. Chikwata chakewo chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Chikwata chechitanhatu, chaiva chomwedzi wechitanhatuwo; chaitungamirirwa naIra mwanakomana waIkeshi wokuTekoa. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Chikwata chechinomwe, chaiva chomwedzi wechinomwe; chaitungamirirwa naHerezi wokuPeroni wokwaEfuremu. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Chikwata chechisere, chaiva chomwedzi wechisere; chaitungamirirwa naSibhekai wokuHusha wokuZera. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Chikwata chechipfumbamwe, chaiva chomwedzi wechipfumbamwe, chaitungamirirwa naAbhiezeru wokuAnatoti wokwaBhenjamini. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri. Chikwata chegumi, chaiva chomwedzi wegumi; chaitungamirirwa naMaharai wokuNetofati wokwaZera. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Chikwata chegumi nechiposhi, chaiva chomwedzi wegumi nechiposhi, chaitungamirirwa naBhenaya wokuPiratoni. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Chikwata chegumi nechipiri, chaiva chomwedzi wegumi nechipiri, chaitungamirirwa naHeridhai wokuNetofa wokwaOtinieri. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina. Vatungamiriri vemadzinza avaIsiraeri ndevava ava: wokwaRubheni ndiEriezeru mwanakomana waZikiri ari mukuru wevatungamiriri wokwaSimeoni ndiShafatiya mwanakomana waMaaka wokwaRevhi ndiHashabhiya mwanakomana waKemueri wokwaAroni, ndiZadhoki wokwaJudha ndiErihu mukoma waDhavhidhi wokwaIsakari ndiOmuri mwanakomana waMikaeri wokwaZebhuruni ndiIshimaya mwanakomana waObhadiya wokwaNafutari ndiJeremoti mwanakomana waAzirieri wokwaEfuremu ndiHoshea mwanakomana waAzaziya wechimwe chikamu chokwaManase ndiJoeri mwanakomana waPedhaya wechimwewo chikamu chokwaManase kuGireadhi ndiIdho mwanakomana waZekariya wokwaBhenjamini ndiJaasieri mwanakomana waJerohamu. Ivava ndivo vakanga vari vatungamiriri vamadzinza evaIsiraeri. Pakuverenga vanhu, Dhavhidhi haana kuverenga vaiva vasingasvitse makumi maviri amakore pazera nokuti Tenzi akanga atsidzira Isiraeri kuti achavawanza senyenyedzi dzedenga. Joabhu mwanakomana wavaZeruya akatangisa kuverenga vanhu, asi haana kupedza. Kunyange zvakadaro Mwari akavirukira Isiraeri nehasha pamusana paizvozvi nezvo uwandi hwavo hauna kuzonyorwa muNhoroondo dzaMambo Dhavhidhi. Aiva wokuona nezvemaichengeterwa upfumi hwokwamambo ndiAzimavheti mwanakomana waAdhieri. Jonatani mwanakomana waUziya ndiye aiva wokuona nezvemaichengeterwa upfumi hwomumaruwa nomumaguta nomumisha nomunhare dzakavakirirwa. Aiona nezvavanhu vaiita basa romuminda rokurima ndiEziri mwanakomana waKerubhu. Aiona nezveminda yamagirepisi ndiShimei wokuRama. Aiona nezvezvinhu zvaikohwewa muminda yemagirepisi, zvamaichengeterwa magirepisi ewaini ndiZabhadhi wokwaShifumu. Aiva wokuonawo nezvemiti yemiorivhi neyemikuyu mumanhika kuShefera akanga ari Bhaarihanani wokuGedheru. Aiona nezvemaichengeterwa mafuta eorivhi ndiJoashi. Aiva wokuona nezvamatanga emombe aifudzirwa kuSharoni ndiShitirai wokuSharoni ikoko. Wokumatanga emombe dzaiva kumakan'a ndiShafati mwanakomana waAdhirai. Aionawo nezvenghamera ndiObhiri wokwaIshimaeri. Aiva wokuona nezvamadhongi ndiJehidheya wokuMeronoti. Wokuonawo nezvehwai nembudzi ndiJazizi wokuHagiri. Vose ivava ndivo vaiva vakachengeteswa upfumi hwokwamambo Dhavhidhi. Babamudiki vaDhavhidhi, Jonatani, vaiva jinda rake vakanga vari munhu anonzwisisa vari munyori. Ivo naJehieri mwanakomana waHakimoni aidzidzisa vanakomana vamambo. Ahitoferi aivawo jinda ramambo, uye Hushai wokuAriki akanga ari shamwari yamambo. Ahitoferi akazotsiviwa panzvimbo yake naJehoyadha mwanakomana waBhenaya uyewo naAbhiyatari. Joabhu ndiye aiva mutungamiriri mukuru wehondo yamambo. Dhavhidhi akaunganidza kuJerusaremu vakuru vakuru vose veIsiraeri vaiti: vakuru vakuru vamadzinza navakuru vakuru vezvikwata zvaishandira mambo navatungamiriri vezviuru navamazana nevokuchengeteswa upfumi nezvipfuwo zvamambo navanakomana vake pamwechete navakuru vakuru vomumuzinda nemagamba aye okurwa hondo navarume vose nyanzvi dzehondo. Mambo Dhavhidhi akasimuka akati, “Chimbondinzwaiwo hama dzangu nemi vanhu vangu, ndakanga ndine pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndivakire bhokisi raTenzi rechitenderano imba yokuti rizorore ivewo pokuisa tsoka dzake. Zvino ndakatogadzirira zvokuvaka. Asi Mwari akati kwandiri, ‘Haungandivakire imba nokuti iwe uri murwi wehondo uyezve wakadeura ropa.’ Kunyange zvakadaro zvazvo Tenzi, Mwari weIsiraeri akasarudza ini mumhuri yose yababa wangu kuti ndive mambo weIsiraeri narini wose nokuti akasarudza vokwaJudha kuti vave vokutungamirira. Mumba maJudha imomo akasarudza mhuri yokwababa vangu, muvanakomana vababa vangu akafadzwa neni akandigadza umambo hweIsiraeri yose. Pavanakomana vangu vose (nokuti Tenzi akandipawo vana vakomana vakawanda) akasarudza mwana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaTenzi muIsiraeri. “Akati kwandiri, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achavaka imba yangu nenhandare dzangu nokuti ndamusarudza kuti ave mwana kwandiri ini ndive baba kwaari. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi narini narini, ndokunge chete iye aramba akachengeta zvirevo zvangu nemirao yangu sezvazviri nhasi uno.’ “Saka zvino pamberi peIsiraeri yose, gungano rose raTenzi, Mwari weduwo achizvinzwa, chengetai munyatsodzidza mirao yose yaTenzi, Mwari wenyu kuti nyika ino yakanaka ive yenyu mugoisiyirawo senhaka kuvana venyu vachauya mushure menyu nokusingaperi. “Zvino Soromoni mwanangu, ziva Mwari wababa vako umushandire nomwoyo wose uye nomwoyo unoda nokuti Tenzi anoonyatsoongorora mwoyo yose uye anoziva pane mwoyo womunhu nezviri mupfungwa. Ukanyatsotsvaka Mwari unomuwanawo, asi kana ukamufuratira iye achakurasa narini wose. Zvino wochichenjera pamusana pokuti Tenzi akakusarudza kuti umuvakire imba yenzvimbo inoera. Chishinga uite izvozvo.” Dhavhidhi ndokubva apa mwanakomana wake Soromoni mufananidzo wakanyorwa wamavakirwo ekamba kepamusuo peTemberi nedzimba dzayo nemokuchengetera upfumi nedzimba dzayo dzenhurikidzwa nedzimba dzayo dzomukati nemumba mokupfupirira zvitadzo. Akamutaurirawo zvose zvaiva mundangariro yake nezvezvivanze zvemba yaTenzi nedzimba dzose dzakaipoterera nomokuchengetera upfumi hwepamba yaMwari nemaichengeterwa zvipo zvainge zvapirwa kuna Mwari. Akamutaurirawo mamiriro ezvikwata zvavapristi nevaRevhi nebasa rose raifanira kuitwa mumba yaTenzi nezvemidziyo yose yokushandisa yaTenzi. Akamutaurirawo kurema kwendarama inodiwa pamidziyo yose yemo yendarama yebasa roga roga, uyewo kurema kwesirivha yemidziyo yesirivha yebasa roga roga; nouremu hwezvigadzikiro zvemwenje zvendarama namarambi azvo kurema kwendarama yechigadzikiro chomwenje choga choga nemarambi acho uyewo uremu hwesirivha yechigadzikiro chomwenje nemarambi acho maererano nebasa rachaizoitiswa; kwouya kurema kwendarama yetebhuru yechingwa chokuisa pana Tenzi nesirivha yetebhuru dzesirivha; kwoti ndarama chaiyo yakanakisisa yokugadzirisa maforogo nembenge nemakomichi kwotiwo nendiro dzendarama imwe neimwe nouremu hwayo; kukati atari yorusenzi yokugadzirwa nendarama chaiyo yakanakisisa nokuremawo kwayo. Akamuzivisawo mamiriro aizoita chikochikari chendarama chemakerubhu aizenge akatambanudza mapapiro awo akafukidza bhokisi raTenzi rechitenderano. Zvose izvi ndakazvinyora ndiri mumaoko aTenzi akandiita kuti ndinzwisise zvirongwa namamiriro aizoita basa raakaronga. Dhavhidhi akati kumwanakomana wake Soromoni, “Shinga utsunge mwoyo uzviite. Usatye kana kupazamiswa musoro nokuti Tenzi Mwari, iye Mwari wangu anewe. Haambokusiya uri woga kana kukurega uchikundikana kusvikira basa rose rinofanira kuitwa remba yaTenzi rapera. Zvikwata zvavapristi nevaRevhi zvokuita basa rose remba yaTenzi ndizvozvi izvi. Munhu wose ane chido nebasa, nyanzvi pabasa ripi neripi zvaro ndovaunavoka iwe. Vakuru vakuru navanhu vose chaunenge wangoda kuti vaite, vanoita.” Mambo Dhavhidhi akati kugungano rose, “Mwanangu Soromoni uyu, nyakusarudzwa naMwari, achiri mudiki. Haasati agara nebasa asi basa iguru nokuti muzinda wacho hausi womunhu asi ndewaTenzi Mwari. Nokudaro ndakaunganidzira nepandinogonawo napo imba yaMwari ndarama yokugadzirisa zvinhu zvendarama nesirivhawo yokugadzirisa zvinhu zvesirivha nendarira yokugadzirisa zvinhu zvendarira nesimbi yokugadzirisa zvesimbi namapango okugadzirisa zvinhu zvamapango. Ndakaunganidzawo mirwi nemirwi yamatombo eonikisi neokuisa pazvinhu namatombo eandimoni nematombo amavara mavara nemhando nemhando dzamatombo anokosha nedombo romunyakwe. Chimwewo ndechokuti, kuwedzera pane izvozvi zvandakaunganidzira imba inoera yacho, ndine upfumiwo hwangu hwendarama nesirivha. Zvino pamusana pechido chandinacho nemba yaMwari wangu ndinohupa kuimba yaMwari wangu. Hunoti: ndarama inopfuura zana ramatani, ndarama yokuOfiri nesirivha chaiyo yakanakisa inokarosvika matani mazana maviri ana makumi mana yokudzurura nayo madziro emba iyoyo, neyokuzoshandiswa nemhizha dzokugadzira zvinhu; ndarama iri yokugadzirisa zvinhu zvendarama, sirivha iri yokugadzirisawo zvesirivha. Zvino ndiani anonyatsozvipira nomwoyo unoda kuita basa raTenzi nhasi uno?” Vakuru vakuru vedzimhuri dzamadzibaba navakuru vakuru vamadzinza avo navakuru vakuru vezviuru nevemazana namakurukota aishandira mambo vakabvisa zvipo nomwoyo unoda. Vakabvisa zvokushandisa pabasa remba yaMwari zvinoti: ndarama inopfuura zana ramatani rina matani makumi manomwe, kwouya sirivha inodarika matani mazana matatu ane makumi mana, kwoti ndarira inokarosvika matani mazana matanhatu ana makumi maviri kwozoti simbi inopfuura matani zviuru zvitatu zvina mazana mana. Ani naani aiva nematombo anokosha akaaendesa maichengeterwa upfumi hwemba yaTenzi achichengetwa naJeieri wokwaGerishoni. Vanhu vakapembera kufara nokuti ivava ava vakanga vapa nomwoyo unoda. Kanawo mambo Dhavhidhiwo akafara zvikuru kwazvo. Naizvozvo Dhavhidhi akarumbidza Tenzi ari pamberi pegungano rose; Dhavhidhi akati, “Mwari ngaarumbidzwe, iyemi Tenzi, Mwari wavaIsiraeri baba wedu nokusingapere. Ukuru nesimba nembiri nokukunda noumambo ndezvenyu imi Tenzi nokuti zvose zviri mumatenga napasi pano ndezvenyu. Umambo ndohwenyu imi Tenzi uye ndimi munokudzwa somusoro wezvose. “Zvose zvazvo kupfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, ndimi munotonga zvose. Simba noukuru zviri mumaoko enyu, zviriwo mumaoko enyu kugadza paukuru nokupawo zvose simba. Zvino tinokutendai imi Mwari wedu tichirumbidza zita renyu rine mbiri. “Ko ndiri aniwo zvangu panguwo pano? Kana ivo vanhu vangu chiiwo zvavo, kubva tatokwanisawo kubvisa zvipo kudai nomwoyo unoda; nokuti zvinhu zvose zvinobva kwamuri. Tangotorawo pane zvenyu tikakupaiwo. Ndinodaro nokuti kwamuri imimi isu tinongovawo zvedu vatorwa vanhu vokutama-tama sezvaingoitawo madzibaba edu ose. Mazuva edu apasi pano anoita somumvuri usingarambe uripo. “Imi Mwari wedu Tenzi, zvose izvi zvakawanda kudai zvataunganidza zvokukuvakirai nazvo imba yokuisa zita renyu rinoera zvinobva mumaoko enyu uye zvose zvazvo ndezvenyu. “Mwari wangu ndinoziva kuti munoongorora mwoyo womunhu uye kuti munofarira kururama; nokururama ikoko mumwoyo mangu ndapa zvinhu zvose izvi nomwoyo unoda. Iye zvino ndaonawo vanhu venyu ava vari pano vachikupaiwo zvipo nomwoyo unoda vachifara. “Tenzi, Mwari waVaAbhurahamu naVaIsaki navaIsiraeri madzitateguru edu, chengetedzai waro zvinangwa zvakadai narini wose nepfungwa idzodzi muhana dzevanhu venyu muite kuti mwoyo wavo urambe uri kwamuri. Itaiwo kuti mwanakomana wangu Soromoni achengete mitemo yenyu nezvirevo zvenyu nemirao yenyu nomwoyo wose azviite zvose uyewo kuti avake muzinda wandakaunganidzira zvinhu zvokuvakisa.” Dhavhidhi akazoti kugungano rose, “Rumbidzai Tenzi, Mwari wenyu!” Saizvozvowo gungano rose rakarumbidza Tenzi, Mwari wemadzibaba avo vakati kota kota pasi vachigwadamira Tenzi vakaremekedzawo mambo. Vakapira zvibayiro kuna Tenzi. Pazuva ramangwana racho vakapira zvibayiro zvokupisa kuna Tenzi zvehandira chiuru, nechiuru chehondohwe nechiuruwo chehwayana nemipiro yazvo yokuteura kwouya zvibayiro zvizhinji zveIsiraeri yose. Vakadya vakanwa pana Tenzi musi iwoyo vachifara zvikuru kwazvo. Vakadzokerera kugadza umambo Soromoni mwanakomna waDhavhidhi vakamuzodza mutungamiriri wokwaTenzi, Zadhoki ari iye mupristi wacho. Saizvozvo Soromoni akagara pachigaro choumambo chaTenzi samambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi akabudirira, Isiraeri yose ikamuteerera. Vatungamiriri vose nemagamba ose evarume vokurwa hondo nevanakomanawo vose vamambo Dhavhidhi vakabvuma kutongwa namambo Soromoni. Tenzi akamupa mukurumbira chaiwo muvaIsiraeri nechiremera choumambo chisina kumbenge chiine mumwe mambo akamutangira muIsiraeri. Saizvozvo Dhavhidhi mwanakomana waJese akatonga Isiraeri yose. Akatonga kwamakore makumi manomwe ari kuHebhuroni. Akazotonga kwamakumi matatu amakore ana makore matatu ari Jerusaremu. Akanyatsochembera akakwegura ndokuzofawo zvake aine upfumi nomukurumbira, mwanakomana wake Soromoni akatonga panzvimbo yake. Inga nyaya dzezvamambo Dhavhidhi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera, dzakanyorwa wani muNhoroondo dzoMuoni vaSamueri nomuNhoroondo dzaMuporofita Natani nomuNhoroondo dzoMuoni Gadhi dzichirondedzera zvose zvokutonga kwake nougamba hwake nezvakaitika kwaari nokuIsiraeri nokuumambo hwose hwenyika dzeko. Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akanyatsodzika midzi muumambo hwake, izvozvo Tenzi, Mwari wake aiva naye achimuita kuti ave namasimba makuru kwazvo. Soromoni akataurira Isiraeri yose navatungamiriri vezviuru navamazana navatongi navatungamiriri vose muIsiraeri yose navakuru vamadzinza avo. Soromoni negungano rose vakaenda kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira yaiva kuGibheoni nokuti ndiko kwaiva netendhe raMwari rokusanganira riya rakagadzirwa kurenje naMosesi muranda waMwari. (Asi chaivapo ndechokuti Dhavhidhi akanga atotora bhokisi raMwari rechitenderano kuKiriatijearimu akaenda naro kunzvimbo yaakanga arigadzirira nokuti akanga arimisira tendhe muJerusaremu.) Chimwewo ndechokuti, atari iya yendarira yakagadzirwa naBhezarieri mwanakomana waUri, muzukuru waHuri yaiva ikoko kumusuo kwetendhe rinoera raTenzi. Soromoni negungano iri vakandonzwa kuti Mwari anoti kudii. Soromoni akakwirako kwaiva neatari yendarira pana Tenzi yaiva mutendhe rokusanganira akapira chiuru chemipiro yokupisa pairi. Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chaungade kuti ndikupe.” Soromoni akapindura Mwari achiti, “Makaitira baba vangu Dhavhidhi mwoyochena mukuru kwazvo mukandiitawo kuti ndive mambo panzvimbo yavo. Nhai Tenzi Mwari, dai mukachizadzisa waro zvamakatsidzira baba wangu Dhavhidhi sezvo makandiita mambo werudzi rwavanhu vakawanda seguruva renyika kudai. Zvino ndipeiwo ungwaru noruzivo kuti ndigone kutungamirira vanhu ava nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai.” Mwari akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti izvi ndozvawada nemwoyo wako ukarega kukumbira kuti uve nezvinhu kana upfumi kana ukuru kana kuti vanokuvenga vafe kunyange kuzvikumbirira upenyu hurefu, asi wazvikumbirira ungwaru noruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakati iwe uve mambo wavo, naizvozvo ungwaru noruzivo watozvipiwa. Ndichakupawo upfumi nezvinhu zvakowo noukuru zvisina ati akambova nazvo pamadzimambo akakutangira kana achauya mushure mako achava nezvakadaro.” Soromoni akabva kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuya kuGibheoni kwaiva netendhe rokusanganira akadzokera kuJerusaremu akatonga zvake Isiraeri. Soromoni akaunganidza pamwechete ngoro dzehondo navachairi vadzo. Akanga ane chiuru chimwechete chengoro dzehondo chine mazana mana navachairi vadzo zviuru gumi nezviviri vaakaisa kuti vagare mumaguta engoro dzehondo, iye mambo ari muJerusaremu. Mambo akapa kuti muJerusaremu imomo, sirivha iyi nendarama zvinge matombo zvawo. Musidhari uyu wakanga wava kungewo mukuyu wokunyika yokumanhika, kuShefera kuwanda. Mabhiza okwaSoromoni aiatenga kuIjipiti nokuKue. Vanhu vokwamambo vaiita mhindu dzokutengesa ndovaiatengera kuKue. Kuti munhu atenge ngoro yehondo kuIjipiti paidiwa mazana matanhatu emari yesirivha yemashekeri, bhizawo richiita zana namakumi mashanu emari yesirivha yemashekeri. Vanhu ivavo vemhindu vaye vaiitawo zvimwechetezvo ndovaitozondotengeserawo ose madzimambo evaHiti namadzimambo eSiria zvinhu izvozvo. Soromoni akafunga kuvaka imba yokuisa zita raTenzi nokuzvivakirawo muzinda wake. Soromoni akapa basa zviuru makumi manomwe zvavarume kuti vave vokutakura zvinhu, zviuru makumi masere vave vokukwakwanura matombo mumakomo, nezviuru zvitatu zvina mazana matanhatu vokuona kuti basa riri kuitwa here nokushandisa vanhu basa. Soromoni akatumira shoko kuna Huramu mambo wokuTire rokuti, “Sezvamakaita kuna baba wangu Dhavhidhi kuvatumira misidhari yokuvakisa imba yokuti vagare, zvino iniwo ndava kuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wangu yandichateketera kwaari mokupisira paari rusenzi rwetwunonhuwirira, mokugara makaiswa chingwa chepana Mwari, mokupirirawo mipiro yokupisa yamangwanani neyamanheru pamaSabata napakugara kwomwedzi napamazuva makuru aTenzi, Mwari wedu akatemerwa Isiraeri narini wose. Imba yacho yandava kuzovaka, ihuru nokuti Mwari wedu mukuru pana vamwari vose. Asi ndianiwo chaizvo angakwanise kumuvakira imba, ipo panototi matenga chaiwo kunyange denga rokumatenga-tenga chairo harikwane kuti agaremo. Panguwo pano, ndiri aniwo zvangu kuti ndimuvakire imba, asi kuti kuvaka pokungomupisira rusenzi chete here? Nditumireiwo mhizha yezvendarama nezvesirivha nezvendarira nezvesimbi nezvamachira eruvara rwehute namatsvuku neeruvara rwedenga. Anounyanzvi hwokunyora pazvinhu achiita zvokutemerapo, kuti azova pamwechete navanhu vanoziva basa vaneni kwaJudha kuno nomuJerusaremu vakatsvakwa nababa vangu Dhavhidhi. Munditumireiwo musidhari nomusaipurasi nomuarugamu okuRebhanoni nokuti ndinoziva kuti vashandi venyu vanoziva zvokutema mapango kuRebhanoni. Vashandi venyu vachava pamwechete navashandi vangu kuti vandigadzirire mapango akawanda nokuti imba yandichavaka ihuru uye yakanaka. Vashandi venyu vokutema miti ndichavapa zviuru zviviri zvematani ekoroni nezviuru mazana mana emarita ewaini namafuta eorivhi anoita zviuru mazana mana zvamarita.” Huramu mambo wokuTire akapindura Soromoni netsamba yaiti, “Pamusana pokuti Tenzi anoda vanhu vake akakuitai mambo wavo.” Huramu akatiwo, “Tenzi, Mwari weIsiraeri ngaarumbidzwe. Musiki wedenga napasi akapa Dhavhidhi mwanakomna ane ungwaru anonyatsooona zvinhu nomazvo, anonzwisisa achavakira imba Tenzi uye achazvivakirawo muzinda. “Zvino ndatumira mhizha inonzwisisa inonzi Huramuabhi, mwanakomana womumwe mudzimai wokwaDhani, baba vake vari munhu wokuTire. Inyanzvi yezvendarama nezvesirivha nezvendarira nesimbi namabwe nezvamapango nezvamachira eruvara rwehute neeruvara rwedenga namatsvuku nezverineni yakanakisisa, nemhando nemhando dzokunyorawo kwokutemera pazvinhu nokufanonyora mifananidzo yezvose zvose zvingade kuzoitwa pamwechete navanhu vokwenyu vanoziva basa, nyanzvi dzebasa dzachangamire wangu Dhavhidhi baba venyu. Saka koroni nebhari namafuta eorivhi newaini zvamakataura mambo changamire titumirei zvenyu isu varanda venyu. Isu tinokutemeraiwo mapango ose amunenge muchida kuRebhanoni toauyisa kwamuri tichiayeredzera kuJopa nomugungwa akasungwa masvinga masvinga kuitira kuti muzoatorawo imi mugokwira nawo kuJerusaremu.” Soromoni akazovenga vatorwa vose vaiva munyika yeIsiraeri mushure mokuverenga vanhu kwakanga kwamboitwa nababa vake Dhavhidhi. Kwakawanikwa kuti kwaiva navanhu vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu zvine mazana matanhatu avanhu. Vamwe vavo vanokwana zviuru makumi manomwe akavapa basa rokutakura zvinhu, zviuru makumi masere rokukwakwanura matombo mumakomo nezviuru zvitatu zvina mazana matanhatu rokuwona kuti basa riri kuitwa here nokushandisa vanhu basa. Soromoni akatangisa kuvaka imba yaTenzi muJerusaremu paGomo reMoriya, paya pakanga pazviratidza Tenzi kuna Dhavhidhi baba wake panzvimbo yakanga yasarudzwa naDhavhidhi paburiro raOrinani wechiJebhusi. Akatangisa kuvaka mumwedzi wechipiri mugore rake rokutonga rechina. Uyu ndiwo mwero waSoromoni wamamiriro ougaro hwose hwemba yaMwari. Urefu hwayo hwaiita makumi maviri emamita, upamhi hwayo huri mamita mapfumbamwe. Kamba kepamusuo, usati wapinda mukati memba yacho, kaiva nourefu hwaiita mamita mapfumbamwe sezvaiva zvakangoitawo upamhi hwemba yacho. Kukwira kwayo mudenga yakareba mamita makumi mashanu nemana. Mukati mako, kumadziro, akanamirira ndarama. Mumba macho kumadziro akanyatsoiti namapuranga omusaipurasi chechetere, akaanamirira ndarama chaiyo yakanakisisa akaita pazviri mifananidzo yemiti yomurara neyemirongorongo yecheni. Akashongedza imba yacho nematombo anokosha okunamatidza pazvinhu. Ndarama yacho yaiva ndarama yeParivhaimu. Nokudaro akanamirira ndarama kumadziro mumba imomo namapango ayo edenga okutandarika nezviguvare zvayo namadziro acho namagoni ayo. Akavezera pamadziro ipapo mifananidzo yezvisikwa zvinonzi makerubhu. Akavakawo nzvimbo inoeresesa imomo. Urefu hwayo hwakanga hwakaenzana noupamhi hwemba yacho huchiita mamita mapfumbamwe, upamhiwo huri mamita mapfumbamwe. Kumadziro akainamirirawo ndarama yakanakisisa yairema matani anopfuura makumi maviri. Uremu hwezvipikiri zvendarama hwaiita magiramu mazana mashanu ane makumi manomwe. Akanamirawo ndarama mudzimba dzenhurikidzwa. Munzvimbo inoeresesa akagadzira mifananidzo miviri yemakerubhu okuveza omuti akaanamira nendarama. Mapapiro amakerubhu pamwechete aiita mamita mapfumbamwe. Bapiro rimwechete rekerubhu raiita mamita maviri nemasendimita makumi maviri, rainoguma kumadziro kwemba iyoyo. Rimwe bapiro racho raiitawo mamita maviri nemasendimita makumi maviri raigumana nebapiro rerimwe kerubhu. Bapirowo rerimwe kerubhu raiitawo mamita maviri nemasendimita makumi maviri rakanga richiguma kumadziro kwemba iyoyo. Bapiro rimwe riri mamita maviri namasendimita makumi maviri raigumanawo mapapiro nekerubhi rokutanga riye. Mapapiro emakerubhu iwayo akanga akatambanudzwamo achiita mamita mapfumbamwe. Makerubhu aya akanga akamira nemakumbo akaringira kumba kwacho. Akagadzira jira rechidzikatiro namachira eruvara rwedenga neruvara rwehute nematsvuku neerineni akanakisisa akarukirira makerubhu pachiri. Pamusuo pemba yacho, akaita misimboti miviri yaisvika mamita gumi namashanu ane masendimita makumi mashanu. Mumwe nomumwe wayo uine chepamusoro pawo chaiita mamita maviri ane masendimita makumi maviri kureba. Akaita cheni dzinenge dziye dzokushonga muhuro akadziisa pamisoro yemisimboti. Akagadzirawo zvinenge michero yemapomegiraneti zana akazviisa pacheni idzodzo. Akamisa misimboti iyi pamusuo weTemberi achiti mumwe kumaodzanyemba, mumwe kuchamhembe. Waiva kumaodzanyemba akautumidza zita rokuti Jakini, wokuchamhembe akautumidza zita rokuti Bhoazi. Soromoni akaitawo atari yendarira yaiva mamita mapfumbamwe kureba, upamhi hwayo huchiitawo mamita mapfumbamwe, kukwira kwayo mudenga yakareba mamita mana ana masendimita makumi mashanu. Akazogadzira zibhavhu ziguru-guru kwazvo rakanga rino utare hwakaita zvokunyungurutswa. Udzame hwaro hwaiita mamita maviri namasendimita makumi maviri, upamhi hwaro huchiita mamita mana namasendimita makumi mana. Kuritenderedza rose raiita mamita gumi namatatu namasendimita makumi maviri. Pasi paro nechokunzekunze pakanga pakaitwa zvinenge mapudzi, zviri makumi maviri pamita yoga yoga. Zvainge mapudzi izvi, zvakanga zvakaita zvokuumbirwa pazibhavhu iri pamwechete naro parakagadzirwa zviri mumitsara miviri. Rakanga rakagara pahandira gumi nembiri, nhatu dzacho dzakaringira kuchamhembe, dzimwe nhatu dzakaringa kumadokero, dzimwewo dzacho nhatu dzakaringira kumaodzanyemba, dzimwewo nhatu dzakaringa kumabvazuva, shure kwadzo dzose kwakanga kuri nechomukati, zibhavhu iri riri pamusoro padzo. Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sechanza, mupendero waro wakanga wakaita somupendero wekapu, seruva ramahapa. Zibhavhu iri raipinda madhiramu aikarosvika mazana matatu namakumi mashanu. Akagadzirawo mabhavhu gumi okushambira, akandoisa mashanu acho kumaodzanyemba, mamwe acho mashanu kuchamhembe. Maari iwaya ndimo mavaisukira zvainge zvashandiswa pamupiro wokupisa, muzibhavhu ziguru guru ndimo maishambira vapristi. Akagadzirawo gumi rezvigadzikiro zvemwenje zvendarama sokuudzwa kwaakaitwa, akazviisa muTemberi achiti zvishanu kumaodzanyemba, zvishanu kuchamhembe. Akagadzirawo matebhuru gumi akaaisa muTemberi achiti mashanu kumaodzanyemba mamwe mashanu kuchamhembe. Akagadzira mbhenge dzendarama zana. Akagadzira nhandare yavapristi nenhandarewo huru namagonhi munhandaremo akanamirira magonhi acho ndarira. Akaisawo zibhavhu ziguruguru riya kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemba iyoyo. Huramu akagadzirawo mapoto namafoshoro nembhenge. Saizvozvo Huramu akapedza basa raaiitira mambo Soromoni repamba yaMwari. Akagadzira misimboti miviri nezvinhu zvaiva zvakafutumara zvaiva zvepamisoro yemisimboti iyi kwouya mambure maviri okushongedza pazvinhu zvaiva pamisoro yemisimboti; uye zvainge michero yamapomegiraneti mazana mana, zvokuisa pamambure iwayo ari maviri, mumbure woga woga uine mitsara miviri yezvinenge mapomegiraneti zvokushongedza pazvinhu zviya zviviri zvakafutumara zvapamisoro yemisimboti. Akagadzirawo ngoro namabhavhu, pangoro idzodzo, kwouya zibhavhu ziguru riya nehandira gumi dzaiva pasi paro. Mapoto namafoshoro namaforogo nemidziyo yose iyi yomumba yaTenzi yakagadzirirwa mambo Soromoni naHuramabhi, yakanga iri yendarira yakanyatsokwenenzverwa. Mambo akaforomera izvozvi mubani romuna Jorodhani panzvimbo yomunyakwe iri pakati peSukoti neZeredha. Soromoni akagadzira mirwi nemirwi yezvinhu izvozvo zvokuti hapana akazokwanisa kuwana kuti ndarira yacho yairema zvakadii. Soromoni akagadzira zvinhu zvose zvaiva mumba yaMwari zvaiti: atari yendarama netebhuru dzechingwa chokuisa pana Mwari, kwouya zvigadzikiro zvemwenje namarambi azvo endarama chaiyo yakanakisisa okuvheneka pamberi penzvimbo inoera yomukatikati macho sezvakanga zvarehwa, kwouyawo maruva namarambi nembato dzendarama chaiyo yakanakisisa, kwozoti zvigero nembhenge namabisiro orusenzi namakoni emba yacho, pachiti makonhi omukati okupinda munzvimbo inoeresesa namagonhi emba yacho chaiyo yeTemberi, zvaiva zvendarama. Sokudaro basa rose rakaitwa naSoromoni remba yaTenzi rakapera. Soromoniwo akauya nezvinhu zvababa wake Dhavhidhi zvakanga zvapirwa kuna Mwari zvaiti: sirivha nendarama nemidziyo yose akazvirongedza maichengeterwa upfumi hwemba yaMwari. Soromoni akazokokorodza vakuru vakuru veIsiraeri navakuru vakuru vose vamadzinza avo, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avanhu vechiIsiraeri kuJerusaremu kuti vaende kundotora bhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi, guta reZioni. Saizvozvo varume vose veIsiraeri vakaungana kuna mambo pamazuva makuru muri mumwedzi wechinomwe. Vakuru vakuru vose veIsiraeri pavakasvika, vaRevhi vakandotakura bhokisi rechitenderano. Vakaunza bhokisi rechitenderano netendhe rokusanganira nemidziyo yose inoera yaiva mutendhe racho. Vapristi nevaRevhi ndovakauya nazvo. Mambo Soromoni negungano rose reIsiraeri rakanga raungana kwaari vaiva pamberi pebhokisi rechitenderano ipapo vachipira hwai nemombe zhinji dzisingaverengeki kana kugona kuverengetwa. Vapristi vakazondoisa bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo paro, munzvimbo inoera mukamba komukatikati kemba iyoyi, munzvimbo inoeresesa munyasi memapapiro amakerubhu aye. Chaivepo ndechokuti, makerubhu acho akanga akatambanudzira mapapiro pamusoro penzvimbo yebhokisi rechitenderano zvokuti makerubhu iwayo aiva akafugidza bhokisi rechitenderano iri namapango aro okuritakurisa. Mapango iwayo akanga akareba zvokuti kwokupedzesera kwawo kwaitoonekwawo kunyange neari munzvimbo inoera, tisati tapinda munzvimbo inoera, kamba komukatikati kaye. Asi akanga asingaoneke nomunhu ari kunze, achiriko nanhasi uno. Mubhokisi rechitenderano makanga musina chimwe chinhu kunze kwamafendefa maviri aye akaiswamo naMosesi kuHorebhu, kwakaita Tenzi chitenderano navanhu veIsiraeri pavakabuda muIjipiti. Pakazobuda vapristi munzvimbo inoera, vapristi vose ivava vaivapo vakatenge vambozvichenura pasina kuti uyu ndowebato ripi, vaimbi vose vekwaRevhi vanaAsafu naHemani naJedhutuni navanakomana vavo nehama dzavo vakanga vakapfeka hanzu dzerineni dzakanakisisa kwazvo vaina makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendami vakamira kumabvazuva kweatari pamwechete navapristi zana namakumi maviri vokuridza mabhosvo; basa revokuridza mabhosvo ivava navaimbi ava riri rokuburitsa mumhanzi pamwechete vachirumbidza Tenzi vachimutenda. Rwiyo ndokubva rwanzi povo kukagoridzwa mabhosvo namakwakwakwa acho nezvimwewo zvokuridzisa mumhanzi vachirumbidza Tenzi vachiti, “Nokuti wakanaka uye mwoyochena wake haupere,” imba iyoyo, imba yaTenzi yakazadzwa negore. Zvokuti vapristi vakatadza kuita basa ravo pamusana pegore iroro nokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwazadza imba yaMwari. Soromoni akati, “Tenzi, akazvisarudzira zvake kugara makati kwirindindi. Iniwo ndakanyatsokuvakirai imba ino chaiyo ino mukurumbira musha wokuti mugare zvenyu imi nokusingaperi.” Mambo akazotendeuka akabva akomborera gungano rose reIsiraeri, iro gungano reIsiraeri rose rakati ji kumira. Akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari weIsiraeri, akadai kuzadzikisa zvaakatsidzira baba vangu Dhavhidhi achiti, ‘Kubvira pandakaburitsa vanhu vangu munyika yeIjipiti, handina kusarudza guta mumadzinza ose eIsiraeri mokuti ndivakire imba inodaidzwa nezita rangu uye handina munhu wandakasarudza kuti ave mutongi wavanhu vangu vaIsiraeri. Asi kuti ndakasarudza Jerusaremu kuti zita rangu riiswepo uye ndikasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsiraeri.’ Baba vangu Dhavhidhi vakanga ainazvo mumwoyo zvokuvaka imba inodaidzwa nezita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri. Asi Tenzi akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Zvokuti mumwoyo mako muve nepfungwa yokundivakira imba yokuisa zita rangu changa chiri chinhu chakanaka. Chiripo chete ndechokuti, iwe hausiriwe wokundivakira imba yacho asi mwana wako mukomana wauchabereka.’ Zvino Tenzi akazadzikisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwaakaita Tenzi ndikazovakawo imba iyi, yokuisa zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri. Ndimo mandati mugare bhokisi rechitenderano riine chitenderano chaTenzi chaakaita navanhu veIsiraeri.” Soromoni akamira pamberi peatari yaTenzi gungano rose reIsiraeri riripo, akasimudza maoko ake. Soromoni akanga agadzira nendarira chimwe chokumira pachiri chaiita mamita maviri namasendimita makumi maviri kureba, upamhi hwacho huchiitawo mamita maviri namasendimita makumi maviri, kukwira kwacho mudenga chichiita mita rimwechete namasendimita makumi matatu akachiisa mukati menhandare, akamira pamusoro pacho. Akapfugama namabvi pamberi pegungano rose reIsiraeri akasimudzira maoko ake mudenga akanamata achiti, “Imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri, hakuna Mwari akaita semi, kumusoro kudenga kana panyika pasi pano anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena varanda vake vanofamba vakatendeseka kwaari nomwoyo wose, semi makachengeta zvamakataurira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi. Makataura imi nomuromo wenyu, noruoko rwenyu mukazvizadzikisa sezvazviri nhasi uno. Zvino Tenzi, Mwari wevaIsiraeri chengetedzai waro zvamakatsidzira zvenyu baba vangu Dhavhidhi, zvamakavataurira muchiti, hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri. Ndokungewo vana vako vachenjerera mafambiro avo vachitevedza mutemo wangu sokufamba mberi kwangu kwawakaitawo iwe. Saka zvino imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri shoko renyu ramakatsidzira muranda wenyu Dhavhidhi ngarichiitika. Chaizvo chaizvo, Mwari angaite panyika kuti pave musha wake here! Inga wani matenga kana iro denga rokumatengatenga haakwane kuti ave musha wake. Ko, kutozotiwo imba iyi yakavakwawo neniwo zvangu! Kunyange zvazvo zvakadaro Tenzi, Mwari wangu rerekerai nzeve dzenyu kumunamato wangu ini muranda wenyu nokuchichemo changu, munzwewo chichemo nomunamato wandiri kuita kwamuri kuti ziso renyu rirambe riri pamba iyoyi siku nesikati panzvimbo iyi yamakavimbisa kuzoisa zita renyu, kuitira kuti mugozonzwawo munamato wangu ini muranda wenyu wandava kuitira nzvimbo ino. Inzwaiwo chichemo ichi changu ini muranda wenyu nechevanhu venyu vaIsiraeri, pavanonamata vakaringira kunzvimbo ino. Vanzwei muri kudenga kwamunogara, pamunenge manzwa muvaregererewo. “Kana munhu akatadzira mumwe wake, akange anzi apike mhiko, akauya akasvikopika mhiko yake pamberi peatari yenyu mumba muno, pakadaro imi teererai muri kudenga uku muwane chamungaite nazvo, muteme zvinowirirana nemhosva yacho, Ane mhosva muti apfukirwe nemhosva yake, anengewo asina mhosva mudure pachena kuti haana mhosva maererano nokururamawo kwake. “Kana vanhu venyu vaIsiraeri vakakundwa navavengi pamusana pokuti vakakutadzirai, vakange vadzokerazve kwamuri, vokuyeukai zvino nezita, vakanamata vachiisa zvichemo zvavo kwamuri mumba muno, vanzwei kudenga ikoko muregererewo vanhu venyu vaIsiraeri chitadzo ichocho, muvadzorere kunyika yamakapa madzitateguru avo. “Kana denga richinge rapfigwa, kurega kunaya mvura pamusana pokuti vakakutadzirai, vakanamata vakazvirereka vakaringa kuno uku vakakuyeukai nezita, vakakanda pasi chitadzo chavo imi manga mambovaonesa nhamo vanzwei kudenga ikoko, muregererewo muranda wenyu navanhu venyu vaIsiraeri chitadzo chavo muvadzidzise makwara akanaka okuti vafambe nawo mupe mvura nyika yenyu yamakapa vanhu venyu senhaka yavo. “Kana munyika ino mukaita nzara kana kuti mukaita denda kana zvikukuve kana chiundudzi, kanawo kukauya mhashu kana rukonye kana kuti vavengi vavo vakavatambudza munyika muno, muguta ravo ripi zvaro, kunyange nyatwa ipi zvayo kana kukava nechirwere chipi nechipi zvacho; vanhu venyu vose vaIsiraeri kana kuti ani naani zvake anenge aine nhuna dzaari kunzwa mumwoyo wake kana chimwe chinomutambudza akazotambanudza maoko akaringa kumba ino achiita munamato upi zvawo kana kuisa chichemo chipi nechipi zvacho munzwei kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara, mumuregererewo sezvo muchiziva zviri mumwoyo make mubatsirei zvichienderanawo namaitiro ake (nokuti imi moga ndimi munoziva zviri mumwoyo womunhu) kuitira kuti vagare vachikutyai vachitevedza makwara enyu misi yose yavachagara munyika yamakapa madzitateguru avo. “Pamusana pezita renyu guru noukuru hwenyu nezvesimba renyu guru, muitewo zvimwechetezvo nomutorwa wechirudzi kuvanhu venyu vaIsiraeri, mubvakure, akauya kuzonamata akaringa kumba ino, imi munzweiwo kudenga ikoko, kunzvimbo yenyu kwamunogara, muitire mutorwa iyeyo zvose zvaanenge akukumbirai, kuitira kuti marudzi ose avanhu vepanyika pano vagoziva zita renyu, vakutyei sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri uyewo vagoziva kuti imba ino yandakavaka inodaidzwa nezita renyu. “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisa vavengi vavo kwamunenge mati vaende, vakanamata kwamuri vakaringawo kuguta rino ramakasarudza uye kumba ino yandakavakira zita renyu; vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko, muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo. “Kana vakaita chitadzo kwamuri sezvo kusina munhu asingapari chitadzo, imi mukavashatirirwa mukavaisa mumaoko avavengi vavo kuti vatapwe vaendwe navo kunyika iri kure kana kuti iri pedyo kunyange zvazvo zvakadaro vakazviti kunun'unu mumwoyo mavo vari munyika mavakavatapa macho, vakapinduka voturira chichemo chavo kwamuri vari munyika yavakavatapa iyoyo vachiti, takaita chitadzo tikaita zvouipi tikapara mhosva, kana vakapindukira kwamuri nomwoyo wavo wose, vachinge vanyatsozvipira kupinduka ivo pachavo, vari munyika yevavengi vavo, vanyakuvatapa, vakanamata vakaringa kuno kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo, kuguta ramakasarudza kumba ino yandakavakira zita renyu; vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muvaitire zvavanenge vachichema nazvo, muregererewo vanhu venyu vanenge vakutadzirai ivavo. Zvino imi Mwari wangu meso enyu ngaatarise murerekere nzeve dzenyu kumunamato uyu wandaita pano. “Zvino chisimukai zvenyu Tenzi Mwari muende mundogara munzvimbo yenyu yokuzorora, imi nebhokisi rechitenderano rine simba renyu. Vapristi venyu imi Tenzi Mwari ngavafukidzwe noruponeso, muregewo zvenyu vatsvene venyu vafare mune zvakanaka zvenyu. Tenzi Mwari, dai waro mangorega kufuratira muzodzwi wenyu, murangarire mwoyochena wenyu kuna Dhavhidhi muranda wenyu.” Zvino kuzoti Soromoni apedza kunamata, moto wakatozomoka kudenga ukaroromesa mupiro wokupisa nezvibayiro, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukazadza Temberi yacho. Vapristi havana kugona kupinda mumba yaTenzi pamusana pokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza imba yaTenzi iyoyo. Pakaona vanhu vose veIsiraeri kutozomoka kwakaita moto nokupenya kwokuvapo kwaTenzi paTemberi, vakati kota kota pasi nouso panhandare yakanga yakagadzirwa, vakanamata vakatenda Tenzi vachiti, “Nokuti wakanaka, uye mwoyochena wake hauperi.” Mambo navanhu vose veIsiraeri vakapira zvibayiro kuna Tenzi. Mambo Soromoni akapira zvibayiro zviuru makumi maviri emombe, nehwai zviuru zana namakumi maviri, nokudaro mambo navanhu vose vakateketerera imba iyoyo kuna Mwari. Vapristi vakamira munzvimbo dzavo, vaRevhiwo vaine zvokuridzisa mumhanzi waTenzi zvakagadzirwa namambo Dhavhidhi kuitira kurumbidza Tenzi pamusana pokuti mwoyochena wake hauperi. Dhavhidhi paaivarumbidzisa Mwari, vapristi vairidza mabhosvo vakatarisana navo, vaIsiraeri vose vakamira. Soromoni akaturira kuna Mwari chimwe chidzengerere chapakati poruvanze pokunge toda kupinda mumba yaTenzi. Ndipo paakapirira mupiro wokupisa namafuta omupiro wokuwadzana. Chakanetsa ndechokuti atari iya yendaira yakagadzirwa naSoromoni, yakanga isingakwane kuisa pairi mipiro yokupisa nemipiro yeupfu hwembeswana namafuta. Panguvawo iyoyo Soromoni nevaIsiraeri vose vaaiva navo, vakaita mabiko okupemberera kwamazuva manomwe. Vakanga vari gungano guru kwazvo ravanhu vokubva pokunge tava kuda kusvika kuHamati kusvikira kuKakova keIjipiti. Pazuva rechisere vakaita musangano mukuru wezvokunamata nokuti vakanga vateketerera atari kuna Mwari kwemazuva manomwe, vakachengetawo mazuva makuru kwamazuva manomwe. Pazuva rechimakumi maviri nechitatu romwedzi wechinomwe akaparadza musasa woonekana navanhu kuti vaende kumisha yavo. Vakaenda vasisazive pokuisa mwoyo nokufarira zvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naTenzi kune muranda wake Dhavhidhi nokuna Soromoni nokuvanhu vake vaIsiraeri. Saizvozvo Soromoni akapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaiva nazvo mumwoyo zvokuita mumba yaTenzi nomumuzinda make akanyatsozviita. Tenzi akazviratidza usiku kuna Soromoni akamuti, “Munamato wako ndaunzwa, ndasarudza nzvimbo ino kuti ive yangu kuti ive imba yokupirira zvibayiro. Ndikange ndapfiga matenga kuti arege kunayisa mvura kana kuti ndikatuma mhashu kuti dzirozve nyika ino kunyange kutuma denda mukati mavanhu vangu; kana vanhu vanodaidzwa nezita rangu vakazvirereka, vakanamata vava kutsvaka kuti ndivacheukewo, vakasiya nzira dzavo dzakaipa; pakadaro ini ndichavanzwa kudenga uku, ndigovaregerera chitadzo chavo ndigoporesawo nyika yavo. Zvino meso angu achange akatarisa, nzeve dzangu dzakanyatsoteerera munamato unoitwa panzvimbo ino. Zvino ndasarudza imba ino ndikaiita kuti iere, kuitira kuti zita rangu rive pairi nokusingapere. Ziso rangu nomwoyo wangu zvichange zviri pairi narini wose. Kana uriwe, dai zvako ukaita mufambiro wandinoda sezvaiita baba vako Dhavhidhi uchiita zvose sokuudza kwandakakuita uchichengeta murao yangu nezvirevo zvangu. Kana wadaro ndichaita kuti umambo hwako hudzike midzi, sokutsidzirana kwandakaita nababa vako Dhavhidhi ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzotonga Isiraeri.’ “Asi kana mukazotsauka zviye zvokutofuratira zvenyu mirao yangu nemitemo yangu yandakakupai moenda kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, ini ndopandichakutipurai munyika ino yandakupai. Kanawo imba iyoyi yandaeresera zita rangu, ndichaibvisa zvokusambodazve kuzoiona mumaziso mangu. Ndichaita kuti izvozvi izvi zvive setsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose. “Kunyangewo pamba iyoyi iyi ine mukurumbira kudai, vapfuuri nenzira vose vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa nazvo, vachitozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chaadariro nyika ino nemba iyi chii?’ Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo, nyakuburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokusimba navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata, ndokusaka akavapinza munyatwa yose iyi.’ ” Mushure memakore makumi maviri okunge Soromoni avaka dzimba idzi dziri mbiri dzinoti imba yaTenzi nomuzinda wake, iye Soromoni akavaka maguta aakanga apiwa naHuramu akandogarisa vanhu veIsiraeri maari. Soromoni akazoenda kuHamatizobha akarikurira. Akavaka Tadhimori kurenje, namaguta ose okuchengetera zvinhu aakavaka muHamati. Akavakawo Bhetihoroni rokumusoro neBhetihoroni renyasi ari maguta akavakirirwa netsvingo aine misuo mikuru nezvihuri. Akavakawo Bhaarati namamwe maguta ose okuchengetera zvinhu aakanga ainawo iye Soromoni namaguta ose engoro dzake dzehondo dzamabhiza namaguta avachairi vadzo uyewo nezvimwe zvose zvaaida kuvaka muJerusaremu nokuRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. Vanhu vose vasiri vechiIsiraeri vakasara pakati pevaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi, zvizukuru zvakasara zvaivapo munyika imomo mushure mavo zvisina kutsakatiswa nevaIsiraeri, ivava ava ndivo vakapinzwa mubasa rechibharo naSoromoni, ndozvavari nanhasi uno. Asi vechiIsiraeri Soromoni haana kuvaita varanda vebasa rake. Ndivo vaiva varwi vehondo namakurukota ake navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vomungoro dzake dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo. Ivava ndiwo makurukota makuru okwamambo Soromoni vari mazana maviri namakumi mashanu vaiva nebasa rokutonga vamwe. Soromoni akatamisa mukunda waFarao kuguta raDhavhidhi akamuendesa kumba yaakanga amuvakira. Raaiva naro nderokuti, “Mudzimai wangu uyu haangagare mumuzinda waDhavhidhi mambo weIsiraeri pamusana pokuti pose pakambosvikwa nebhokisi raTenzi rechitenderano, panoera.” Soromoni aipira mipiro yokupisa kuna Tenzi paatari yaTenzi yaakanga avakira pamberi pekamba kapamusuo petembere maererano nezvaidiwa zuva nezuva achitevedza mutemo waMosesi wemaSabata nowokugara kwemwedzi newemazuva makuru matatu aya anoti mazuva makuru echingwa chisina mbiriso, nezuva guru rokupemberera mavhiki namazuva makuru amatumba. Sezvirongwa zvababa wake akarongera mapato avapristi basa rawo rokuita. Akarongerawo vaRevhi basa ravo rokurumbidza nerokushanda navapristi sezvaidikanwa zuva nezuva. Akarongerawo vokuchengetedza misuo mukuru muzvikwata zvavo zvokuchengetedza misuo mukuru yacho nokuti ndozvakanga zvanzi nomunhu waMwari Dhavhidhi zvizoitwa. Hapana chavakatsaudzira kuita pane zvakanzi namambo vapristi nevaRevhi vaite zvainangana nechipi nechipi zvacho kana nezvemaichengeterwa upfumi. Ndiko kupedzeswa kwakaitwa basa rose raSoromoni iri kubvira zuva rakatangwa kuvakwa ugaro hwemba yaTenzi kusvikira yapera. Saka imba yaTenzi yakabva yapera kuvakwa. Soromoni akaenda kuEzionigebheru nokuEroti riri mumahombekombe megungwa kunyika yeEdhomu. Huramu akamutumira machinda ake nengarava namachinda nyanzvi dzezvokufamba mugungwa vakaenda kuOfiri pamwechete namachinda aSoromoni. Vakandounza ndarama inorema makirogiramu anopfuura zviuru gumi nezvishanu vakauya nayo kuna mambo Soromoni. Mumwe mukadzi aiva mambo wokuShebha paakanzwa nezvomukurumbira waSoromoni, akauya kuJerusaremu kuzoedza Soromoni nemibvunzo yakaoma akakutwa nezanzwe chairo ravanhu vaine nghamera dzakatakura twunonhuwirira nendarama yakawanda kwazvo namatombo anokosha. Paakasvika kuna Soromoni, akamutaurira zvose zvaiva mumwoyo make. Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose. Hapana kana chimwechete chakanga chakavanzika kuna Soromoni chaakatadza kumutsanangurira. Mambokadzi uyu wokuShebha paakaona ungwaru hwaSoromoni nemba yaakanga avaka, kwoti patebhuru apa chokudya chaaidya, kwozoti mugariro waiita makurukota ake, iwo munekairiro waiita vashandi vake nomupfekero wacho wavaive vakaita kwotiwo navaimuperekera waini nomupfekero wachowo wavaiva vakaita, kwozoti nemipiro yake yokupisa yaaipira kumba yaTenzi, zvakamushayisa romuromo. Akati kuna mambo, “Zvandakanzwa ndiri kunyika kwangu nezvenyu uye nezvoungwaru hwenyu ndezvochokwadi, asi ini handina kunge ndazvibvuma kusvikira ndauya ndikatozvionera ndoga namaziso angu. Inga kutaurirwa hunyimwa! Zvandakanzwa hazvimbosvika napaduku pose pamakuriro akaita ungwaru hwenyu. Zvamuri zvinopfuura zvandakanzwa. Zvavo, vanhu venyu! Zvavo chokwadi machinda enyu, anogara ainemi achinzwa zvawo ungwaru hwenyu hwakadai. “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wenyu akasarudza zvake kukugadzai umambo pachigaro chake choumambo kuitira iye Tenzi, Mwari wenyu. Pamusana pokuti Mwari wenyu akada Isiraeri akadawo kuti varambe varipo narini wose ndosaka akakugadzai umambo hwavo kuti kutonga zvine ruenzaniso uye zviri pamutsetse kuitwe.” Mukadzi uyu akazopa mambo ndarama yairema makirogiramu anopfuura zviuru zvina netwokubikisa tunonhuhwirira twakawanda namatombo anokosha. Hakuna kumboita tunonhuwirira twakadaro setwakapuwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha. Makurukota aHuramu namakurukota aSoromoni akandotora ndarama kuOfiri, akaunzawo mapango omuti womuarugumu namatombo anokosha. Mambo akagadzira mitandariko yamapango omuarugumu yemumba yaTenzi neyomumuzinda wamambo. Akavezawo zvipendani namadimbwa avaimbi. Hakuna kumboonekwa zvakadai munyika yeJudha. Mambo Soromoni akapa mambokadzi uyu wokuShebha zvose zvaaida zvaainge akumbira tisingaverengi zvaakauya nazvo kuzopa mambo. Iye akakotonoka akadzokera zvake kunyika kwake namakurukota ake. Ndarama yaiuyiswa kuna Soromoni pagore, yairema makirogiramu makumi maviri ezviuru ane zviuru zvitatu pasingaverengwe yaiunzwa navamwe vemhindu dzokutengesa navashambadzi. Madzimambo ose okuArabhia navatongi vamatunhu vaiunzawo ndarama nesirivha kuna Soromoni. Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzendarama yakaita zvokupfurwa nhoo huru imwechete yaiva yendarama yakaita zvokupfurwa yairema makirogiramu ainge oda kuita manomwe. Akaitawo mazana matatu edzimwe nhoo dzendarama yakaitwa zvokupfurwa. Nhoo imwechete yaiva nendarama yairema makirogiramu ainge oda kuita matatu. Mambo akandodzirongedza mumba iya yainzi Imbayesangorerebhanoni. Mambo akagadzirawo chigaro choumambo chomunyanga wenzou akaunamira ndarama chaiyo yakanakisisa. Kundosvika pachigaro choumambo paiva nemadanho matanhatu nechokuisa tsoka chendarama zvaiva zvakabatanidzwa nechigaro choumambo. Kumativi uku chigaro ichi chaiva nepokuisa maoko. Paiva neshumba mbiri dzakamira parutivi pezvokuisa maoko, paine shumba gumi nembiri dzakamira pamadanho aya ose ari matanhatu dzakati imwe uku, imwe uku padanho roga roga. Hapana mune imwe nyika makamboitwa zvakadai. Midziyo yose zvayo yokunwira yamambo Soromoni yaiva yendarama. Midziyo yose yokuImbayesangorerebhanoni yaivawo yendarama chaiyo yakanakisisa, sirivha hapana aimboiverengawo sechinhu panguva yaSoromoni. Pamusana pokuti ngarava dzamambo dzaienda kuTarishishi namachindawo aHuramu. Kamwechete pamakore matatu, ngarava idzodzo dzokuTarishishi dzaiunza ndarama nesirivha nomunyanga wenzou etsoko namakudo. Nokudaro mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose apasi pano muupfumi nomungwaru. Madzimambo apasi pose aidisa kwazvo kuona Soromoni kuti vanzwe ungwaru hwake hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make. Gore negore vose ivava, munhu wose aiunza chipo chake chechinhu chesirivha kana chendarama kana chamachira kana kuti mura nechimwe chinonhuwirira kana mabhiza namanyurusi. Soromoni aiva nezviuru zvina zvetumatanga twamabhiza nengoro dzehondo dzamabhiza nezviuru gumi nezviviri zvavachairi vadzo, vaakati vave mumaguta engoro dzehondo vamwe vari muJerusaremu namambo. Aitonga madzimambo ose kubvira muna Yufuratesi zvichienda kunyika yavaFirisitia kundosvika kumuganhu neIjipiti. Mambo akaita kuti muJerusaremu imomo, sirivha iyi inge matombowo zvawo. Musidhariwo uyu wakanga wava kungewo zvawo mukuyu wokunyika yokumanhika kuShefera kuwanda. Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokune dzimwe nyika dzose ouyiwa nawo. Inga dzimwe nyaya dzezvaSoromoni kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera, dzakanyorwa wani mubhuku reNhoroondo dzomuporofita Natani nomune zvakaporofitwa naAhiya wokuShiro noMuzviratidzo Zvakaonekwa noMuoni Idho zvichinangana naJerobhoamu mwanakomana waNebhati. Soromoni akatonga Isiraeri yose kwemakore makumi mana ari muJerusaremu. Soromoni akazovata oendawo kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Robhamu mwana wake mukomana ndiye akazotonga panzvimbo pake. Rehobhoamu akaenda kuShikemu kwakanga kwakaunganwa neIsiraeri yose kundomugadza umambo. Jerobhohamu mwanakomana waNebhati paakazvinzwa zvake achiri kuIjipiti sezvo akanga achiri kuIjipiti ikoko kwaakaenda atiza mambo Soromoni, vakamutumira nhume kundomudaidza. Jerobhoamu uyu nevokwaIsiraeri vose vakasvikopira nyaya yavo kuna Rehobhoamu vachiti, “Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema. Zvino dai mukatirerutsirawo basa rababa venyu rakaoma kudai nejoko ravo rinorema ravakaisa patiri tigokushandirai zvedu.” Iye akati, “Mozodzoka zvenyu kwandiri kwapera mazuva matatu.” Nokudaro vanhu ava vakaenda zvavo. Mambo Rehobhoamu akandobvunza mazano kune vechikuru chikuru vaimbova makurukota kuna Soromoni baba vake pavakanga vachiri vapenyu achiti, “Zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi?” Ivo vakati kwaari, “Zvanhasi uno izvi kana mukabvuma zvenyu kuitira vanhu ava tsiye nyoro, mukavafadza mukataura navo zvakanaka naivowo vachava varanda kwamuri mazuva ose.” Asi iye akasiya zano raakapiwa nevechikuru chikuru ava akandobvunza mazano kune vechidiki vaakakura navo vakanga vava zvino makurukota ake. Akati kwavari, “Ko zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi vakanditi, ‘Tirerutsireiwo joko rakaiswa nababa venyu patiri.’ ” Vechidiki vaakakura navo ava vakamuti, “Udzai vanhu ivavo vakakutii, ‘Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema dai mukachitirerutsirawo, kuti kasiyanwa kangu kakobvu pane chiuno chababa vangu.’ ‘Zvino baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema, handiti! Ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vaikurovai neshamhu, handiti! Ini ndichakurovai netyava ine minzwa yerukato.’ ” Saizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakadzokera kuna Rehobhoamu pazuva retatu racho sokutaura kwakanga kwaita mambo kuti mugozodzoka kwandiri kwapera mazuva matatu. Mambo akavapindura nehasha achisiya zano revechikuru vaya. Akataura kwavari achitevera zano riya raakapiwa nevechidiki achiti, “Baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema, handiti! Ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vakakurovai neshamu, handiti! Ini ndichakurovai netyava ine minzwa yekananga.” Nokudaro mambo haana kunzwa chichemo chavanhu ivava nokuti maitikiro aya ezvinhu akanga auyiswa naMwari kuti Tenzi azadzikise shoko rake raakanga ataura nomuromo waAhiya wokuShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati. VokwaIsiraeri vose pavakaona kuti mambo haana kunzwa chichemo chavo, vanhu vakapindura mambo vachiti, “Isu muna Dhavhidhi, mugove wedu ndowei chaizvo? Hatina isu nhaka mumwana waJese. VokwaIsiraeri, munhu wose kumusha. Iwe Dhavhidhi, zvomumba mako wochizvionera.” VakwaIsiraeri ndiye shapu kuenda kumusha. Asi vaIsiraeri vaigara mumaguta okwaJudha ndivo vaitongwa naRehobhoamu. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mumwe mukuru mukuru wezvebasa rechibharo. Vanhu vokwaIsiraeri vakamutema namatombo akabva afa. Mambo Rehobhoamu ndopaakabva ati nokuchimbidza ngoro yake yehondo karakata ndiye kuJerusaremu ware kutiza. Saizvozvo vokwaIsiraeri vakapandukira imba yokwaDhavhidhi kusvikira pari nhasi. Rehobhoamu paakasvika kuJerusaremu, akaunganidza vemba yokwaJudha nevokwaBhenjamini zana namakumi masere ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo kundorwisa vokwaIsiraeri kuitira kuti vadzorere nyika kuna Rehobhoamu. Asi shoko raTenzi rakauya kuna Shemaya munhu waMwari, rikati, “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo wokwaJudha nokuvaIsiraeri vose vari kwaJudha nokwaBhenjamini, zvanzi naTenzi, ‘Regai kuenda uye musarwisane nehama dzenyu. Munhu wose kumusha nokuti zvinhu izvi zvakabva kwandiri.’ ” Saizvozvo vakateerera zvakarehwa naTenzi ndokudzokera zvavo, vakarega kundorwisa Jerobhoamu. Rehobhoamu aigara muJerusaremu. Akavakirira muJudhamo maguta okuzvidzivirira muhondo. Akavaka Bheterehemu neEtamu neTekoa neBhetizuri neSoko neAdhuramu neGati neMaresha neZifu neAdhoraimu neRakishi neAzeka neZora neAiyaroni neHebhuroni, maguta etsvingo ari kwaJudha nokwaBhenjamini. Akasimbisa tsvingo dzacho akaisamo vatungamiriri vehondo namatura ezvokudya namafuta newaini. Akaisawo nhoo namapfumo mumaguta ose iwayo akaasimbisa zvikuru kwazvo. Iwaya ndiwo makwanisiro aakaita kutonga kwaJudha nokwaBhenjamini. Vapristi nevaRevhi vaiva muIsiraeri yose zvayo vakaunganidzana kwaari kubva kumatunhu avo ose nokuti vaRevhi vakanga vatobva kumaruwa nokumisha yavo vatamira kwaJudha nokuJerusaremu pamusana pokuti Jerobhoamu navana vake vakomana vakavadzinga basa roupristi rokushandira Tenzi, akazvisarudzira vanhu kuti vave vapristi vomunzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira, vezvifananidzo zvembudzi zvokunamata nezvimhuru zvaakanga agadzira. Vamwewo vaiva nemwoyo wokutsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri vakavateverawo kubva kumadzinza ose eIsiraeri vakaenda kuJerusaremu kundopira zvibayiro kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba avo. Vakasimbisa umambo hwokwaJudha kwemakore matatu vakatsigirana naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni vakapedza makore matatu vachitevera gwara raDhavhidhi naSoromoni. Rehobhoamu akaroora mukadzi ainzi Maharati aberekwa naJerimoti mwanakomana waDhavhidhi amai vake vari Abhihairi vaberekwa naEriabhu mwanakomana waJese. Iye akamuberekera vana vakomana ava vanoti: Jeushi naShemariya naZahamu. Mushure maiyeyu akaroorawo Maaka mwana waAbhusharomu iyewo akamuberekera Abhiya naAtai naZiza naSheromiti. Rehobhoamu aida Maaka mwanasikana waAbhusharomu kupinda vamwe vose vakadzi vake navarongo. (Akaroora vakadzi gumi navasere navarongo makumi matanhatu uye aiva navana vakomana makumi maviri navasere vana vasikana makumi matanhatu.) Rehobhoamu akapa Abhiya mwanakomana waMaaka ukuru hwokutonga vakoma nevanun'una vake achiitira kuti azomugadza umambo. Rehobhoamu akaita zvine ungwaru akagovanisa vamwe vanakomana vake mumatunhu okwaJudha neekwaBhenjamini mumaguta ose etsvingo achivawanisa zvokudya zvakawanda nokuvaroorera vakadzi vazhinji. Umambo hwaRehobhoamu hwakati zvino hwasimba hwanyatsodzika midzi akakanda pasi zvomutemo waTenzi pamwechete neIsiraeri yose. Mugore rechishanu rokutonga kwamambo Rehobhoamu pamusana pokuti vakanga vasina kutendeseka kuna Tenzi, Shishaki mambo weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusaremu aine ngoro dzehondo dzamabhiza chiuru chimwechete chine mazana maviri navachairi vadzo zviuru makumi matanhatu. Varwi vaakauya navo vakanga vasingaverengeki vaakabva navo kuIjipiti vaiti vaRibhiya navaSuki navaEtiopia. Akakurira maguta etsvingo okwaJudha ndokuenda akananga kuJerusaremu. Zvino muporofita Shemaya akasvika paiva pakaunganidzana Rehobhoamu navatungamiriri vokwaJudha vakanga vari muJerusaremu pamusana paShishaki, akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, ‘Imi makandiramwaka imi! Zvino iniwo ndakuramwirai mumaoko aShishaki.’ ” Vatungamiriri veIsiraeri namambo vakazvirereka vakati, “Mwari ndiye mururami.” Tenzi paakaona kuti vazvirereka shoko raTenzi rakauya kuna Shemaya richiti, “Zvavazvirereka kudai ini handichavaparadza ndichavanunura. Zvokunge ndichashandisa Shishaki kuratidza kuvirukira kwangu Jerusaremu nehasha, handichaita. Asi zvokuva varanda vake, vachava varanda vake vagoona kusiyana kwakaita kushandireni nokushandira madzimambo edzinyika.” Ipapo Shishaki mambo weIjipiti akasvikorwisa Jerusaremu akapamba upfumi hwepamba yaTenzi noupfumi hwomumuzinda wamambo, akakukucha zvose. Akapambawo nhoo dzendarama dzakanga dzagadzirwa naSoromoni. Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira panzvimbo yadzo. Akadziisa mumaoko avakuru vakuru vaichengetedza pamusuo womuzinda wamambo. Nguva dzose dzaipinda mambo mumba yaTenzi vokuchengetedza ava vaiuya vodzibatira mumaoko vozodzidzosera zvavo mumba yevokuchengetedza. Paakazvininipisa Tenzi akarega kumuvirukira nehasha; saizvozvo, haana kubva amuparadza. Naichowo chiri chokwadi kuti maJudha zvinhu zvakanga zvakanaka. Mambo Rehobhoamu akadzika midzi muJerusaremu akatonga. Rehobhoamu akanga ava namakore makumi mana nerimwechete paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore gumi nemanomwe ari muJerusaremu, guta rakasarudzwa naTenzi pamadzinza ose kuti aisepo zita rake. Zita raamai vake ndiNaama, muAmoni. Akaita zvakaipa nokuti haana kutsvaka Tenzi nomwoyo wose. Inga dzimwe nyaya dzezvaRehobhoamu kubvira pakutanga kusvika pokupedzisira dzakanyorwa muBhuku reNhoroondo dzomuporofita Shemaya nomuoni Idho. Hondo yakaramba ichingovapo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu. Rehobhoamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Abhiya ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore regumi nechisere rokutonga kwaMambo Jerobhoamu, Abhiya akava mambo wokwaJudha. Akatonga kwamakore matatu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Mikaya mwana waUrieri vokuGibheya. Paiva nehondo pakati paAbhiya naJerobhoamu. Abhiya akaenda kundorwa aina magamba chaiwo okurwa hondo namazana mana ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo. Jerobhoamu akaronga varwi vake kuti achirwa naye, vaive vari mazana masere ezviuru zvamagamba chaiwo eshasha dzokurwa hondo. Abhiya akamira pamusoro pegomo reZemaraimu riri munyika yokwaEfuremu yamakomo, akadaidzira achiti, “Iwe Jerobhoamu nemi vaIsiraeri mose chimbonditeererai munzwe!” “Hamuzive here kuti Tenzi, Mwari weIsiraeri akapa narini wose umambo hwokwaIsiraeri kuna Dhavhidhi nokuvanakomana vokwake achizviita nepfirapo yechitenderano chomunyu? “Kunyange zvakadaro gurukota raSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akasimuka akapandukira tenzi wake. Mamwewo madzenga avanhu vasina maturo vakaunganidzana kwaari, vakazvidza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, izvozvo akanga achiri mudiki asina chivindi haana kugona kumirisana navo. Zvino ndopamungatiwo mumirisane nenyika yaTenzi yaarikutonga navanakomana vokwaDhavhidhi muchivimba nokuwanda kwamakaita uku nezvimhuru zvendarama zvamunazvo zvamakagadzirirwa naJerobhoamu kuti zvive vamwari venyu here. Hamuna here imi kudzinga vapristi vaTenzi, vanakomana vokwaAroni navaRevhi, mukazviitira vapristi sezvinongoitawo mamwe marudzi edzimwe nyika? Anoti nomunhu wose anenge angouyawo zvake nehandira ichiri duku kana nehondohwe nomwe ndizvozvo obva anzi atova mupristi wezvinhu zvisiri Mwari. Asi kwatiri isu, Tenzi ndiye Mwari wedu, uye hatina kumufuratira. Tine vapristi vanoshandira Tenzi, vari vanakomana vokwaAroni navaRevhi pabasa ravo irori. Mangwanani oga oga namanheru oga oga, vanopira kuna Tenzi mipiro yokupisa norusenzi runonhuwirira vachironga chingwa chepana Mwari patebhuru yendarama yakachenurwa, vanoonawo nezvechigadzikiro chemwenje chendarama kuti marambi acho avheneke manheru oga oga nokuti isu tinochengeta zvakanzi naTenzi, Mwari wedu zviitwe, asi imi makamuramba. Chinzwai, Mwari anesu, ndiye ari kutungamirira, uye vapristi vake nemabhosvo engondo okurudzira kuti tichikurwisai. VaIsiraeri we-e regai kurwisa Tenzi, Mwari wemadzibaba enyu nokuti hamumbozvikwanisa.” Izvozvo Jerobhoamu akanga atotumira vokundovahwandira necheseri. Nokudaro vokwaJudha vakanga voti mberi vatarisana nehondo, shure kune vokuvahwandira vaye. VokwaJudha vakati cheu, onei kwachiti hondo mberi, nehondo shure. Vakachema kuna Tenzi, vapristi vakaridza mabhosvo. Kuvarwi vokwaJudha ngondo ikati yarira. Varwi vokwaJudha pavakaridza ngondo kudaro, Mwari akakurira Jerobhoamu nevokwaIsiraeri vose, Abhiya novokwaJudha vachiona. Varwi vokwaIsiraeri vakati ware kutiza vokwaJudha. Mwari ndokuvaisa mumaoko avo. Abhiya navarwi vakavaita murakatira kuuraya, kukafiwa nevokwaIsiraeri mazana mashanu ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo. Saizvozvo vokwaIsiraeri vakakurirwa. Panguva iyoyo vokwaJudha vakakunda nokuti vakavimba naTenzi, Mwari wamadzibaba avo. Abhiya akaronda Jerobhoamu akamutorera maguta aya anoti Bhetieri nemisha yaro, neJeshama nemisha yaro neEfuroni nemisha yaro. Jerobhoamu haana kuzovazve nesimba panguva yaAbhiya. Tenzi akazomurova akafa. Asi Abhiya akava nesimba, akaroora vakadzi gumi navana aivawo nevanakomana makumi maviri ana vaviri navanasikana gumi navatanhatu. Inga dzimwe nyaya dzezvaAbhiya namaitiro ake nezvaakataura zvakanyorwa wani muBhuku romuporofita Idho. Saizvozvo Abhiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake. Mwanakomana wake Asa ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mumazuva ake nyika yakava norunyararo kwegumi ramakore. Asa akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi, Mwari wake. Akabvisa zveatari dzisiridzo nenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapwanya zvifananidzo zvokunamata, zvemabwe akatema-tema zvifananidzo zvokunamata zviAshera. Akaudza vokwaJudha kuti vachitsvaka Tenzi, Mwari wamadzibaba avo nokuchengeta mutemo nomurao. Akabvisawo mumaguta ose okwaJudha nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira. Mumaoko ake, nyika yakaita runyararo. Akavaka maguta etsvingo okwaJudha nokuti nyika yaiva murunyararo. Hakuna kumboitika hondo kwaari mumakore iwaya nokuti Tenzi akamupa zororo. Akati kune vokwaJudha, “Ngativakiridzei maguta aya tiapoteredze netsvingo nenharire nemisuo mikuru nezvihuri. Nyika iyi ichiri yedu pamusana pokuti takatsvaka Tenzi, Mwari wedu. Takamutsvaka akabva atipa runyararo kumativi kwose.” Naizvozvo vakavaka, vakabudirira. Asa uyu aiva nezviuru mazana matatu zvavarwi vaiva nezvombo zvehondo, namapfumo nenhoo, navarwi zviuru mazana maviri namakumi masere vokwaBhenjamini vari vokutakura nhoo nokupfura nemiseve. Vose ivava vaiva mvumba chaidzo dzamagamba okurwa hondo. Mumwe muEtiopia ainzi Zera akauya kuzovarwisa aine varwi vehondo zviuru zvinokwana chiuru chaicho, nengoro dzehondo mazana matatu akasvika kuMaresha ikoko. Asa akamubudira vakaronga hondo dzavo kuti vachirwa mubani rokwaZefata kuMaresha. Asa akachema kuna Tenzi, Mwari wake achiti, “Tenzi we-e! Hakuna akaita semi angabatsire panenge pasangana vane simba navasina simba kudai. Tibatsireiwo Tenzi, Mwari wedu nokuti tinovimba nemi. Tauya kuzorwisa gurusvusvu ravanhu iri muzita renyu. Imi Tenzi ndimi Mwari wedu. Regai kuti munhu akukurirei.” Naizvozvo Tenzi akapa kuti vaEtiopia vakundwe naAsa nevokwaJudha. VaEtiopia vakati ware kutiza. Asa navanhu vaaiva navo akadzingirirana navo kusvikira kuGerari. VaEtiopia vakaita murakatira kufa pakasara pasisina mupenyu. VaEtiopia vakaitiswa chimwanda-mwanda naTenzi nehondo yake. VokwaJudha vakakukucha zvinhu zvizhinji zvokupamba. Vakarasha maguta ose emudunhu reGerari nokuti kutya Tenzi kwakanga kwavabata. Vakapamba zvinhu mumaguta ose iwayo. Zvokupamba zvakanga zvakawanda imomo. Vakaparadzawo matendhe avafudzi vemombe. Vakatakura matanga namatanga ehwai, nenghamera, ndokudzokera Jerusaremu. Mweya waMwari wakauya pana Azariya mwanakomana waOdhedhi. Akaenda kundosangana naAsa akati kwaari, “Iwe Asa nemi mose vokwaJudha novokwaBhenjamini imbonditeereraiwo munzwe, Tenzi anemi kana imi muinaye. Mukamutsvaka manomuwana. Asi imi mukamufuratira, anokufuratiraiwo. Kwakamboitika nguva ndefu Isiraeri isina Mwari wechokwadi isina mupristi wokuvadzidzisa isinawo mutemo. Asi pavakanga vava munhamo yavo vakatendeukira kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri vomutsvaka zvino, vakamuwana. Mumazuva iwayo kwakanga kusina rugare zvokuti kufamba chaiko kwakanga kwava nenjodzi nokuti pakava namanyongori asingatauriki muvanhu vose venyika idzodzi. Umharadzi hwakanga hwapinda, rudzi rwakamukirana norudzi, guta richimukirana nerimwe guta pamusana pokuti Mwari aivapinza mumhando nemhando dzenhamo. Asi imi tsungai mwoyo musaregedzere maoko nokuti pabasa renyu iroro, muchapiwa mubayiro.” Asa paakanzwa mashoko iwaya okuporofita kwomuporofita wokwaOdhedhi, akatsunga mwoyo akabva abvisa zvifananidzo zvokunamata zvisingadiwi naMwari munyika yose yokwaJudha nokwaBhenjamini nokumaguta aakanga akurira kunyika yokwaEfuremu yamakomo. Akagadzira atari yaTenzi iya yaiva pamberi pekamba kepamusuo wemba yaTenzi. Akaunganidza vose vokwaJudha nevokwaBhenjamini nevokwaEfuremu nevokwaManase nevokwaSimeoni vakanga vava kugara kwake nokuti vanhu vazhinji vakatizira kwaari vachibva kwaIsiraeri paya pavakaona kuti Tenzi, Mwari wake anaye. Vakaunganidzwa muJerusaremu mumwedzi wechitatu wegore regumi nechishanu rokutonga kwaAsa. Vakapira zvibayiro kuna Tenzi musi iwoyo zvavakatora pazvinhu zvokupamba zvavakanga vauya nazvo zvamazana manomwe emombe nezviuru zvinomwe zvehwai. Vakaita chibvumirano chokutsvaka Tenzi, Mwari wamadzibaba avo nomwoyo wavo wose nomweya wavo wose uye kuti: kuwana asingatsvake Tenzi, Mwari weIsiraeri anofanira kuurayiwa angave mukuru kana mudiki murume kana mukadzi. Vakatsidza nemhiko kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri nezwi riri pamusoro vachiita zvokudaidzira, uye nebhosvo nehwamanda. VokwaJudha vose vakafarira mhiko iyi nokuti vakanga vatsidza nomwoyo wavo wose vamutsvaka nomwoyo unoda akawanikwa. Tenzi ndokubvawo avapa runyararo kumativi ose. Kunyange ambuya vake Maaka, mambo Asa akavabvisa pachigaro chavo chouhosi hwokwamambo nokuti vakanga vagadzira chifananidzo chokunamata chokumiririra Ashera chisingambodiwa zvacho naMwari. Asa akatemera pasi chifananidzo chavo ichocho akachityora-tyora akachipisira kukakova keKidhironi. Asi nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa muIsiraeri. Zvakadaro zvazvo, Asa uyu aiva munhu ane mwoyo wakarurama mazuva ohupenyu hwake hwose. Akaunza mumba yaMwari zvipo zvakanga zvatsidzwa nababa vake kupa kuna Mwari nezvipowo zvake zvaakanga atsidza kupa kuna Mwari zvesirivha nendarama nemidziyo. Zvehondo zvakamboti zii kudzamara gore ramakumi matatu nechishanu rokutonga kwaAsa. Mugore ramakumi matatu nechitanhatu rokutonga kwaAsa, mambo wokwaIsiraeri akandorwisa kwaJudha akavakirira guta reRhama kuitira kuti awane marambidziro vanhu kubva kwaAsa mambo wokwaJudha kana kuendako. Asa akatora sirivha nendarama upfumi hwepamba yaTenzi nehwemuzinda wamambo akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria aigara muDhamasikusi achiti, “Ngatiitei chibvumirano, imi neni, sezvakanga zvakaita baba venyu nababa vangu. Onai ndakutumirai sirivha nendarama iyo, imi moendawo muparadze chibvumirano chenyu naBhaasha mambo wokwaIsiraeri kuitira kuti kwangu kuno uku abve.” Bhenihadhadhi akabvumirana namambo Asa akabva atumira vakuru vakuru vehondo yake kundorwisa maguta okwaIsiraeri. Vakakurira Iyoni neDhani neAberomaimu nemaguta ose ematura okwaNafutari. Bhaasha paakazvinzwa akabva arega kuvakirira Rhama akabva amisa basa rake. Mambo Asa akatora vokwaJudha vose akandotakura mabwe okuRama namapango acho ainge achivakiswa. Akandovakirira nazvo Gebha neMizipa. Panguva iyoyo, muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo wokwaJudha akati kwaari, “Pamusana pokuti iwe wakavimbaka iwe namambo weSiria ukarega kuvimba naTenzi, Mwari wako, hondo yamambo weSiria yakupunyuka mumaoko. Ko vaItiopia nevaRibhiya vakanga vasiri hondo huru kwazvo here vaine zararira chairo rengoro dzehondo dzemadzibaba nevachairi vadzo? Asi pamusana pokuti makavimba naTenzi, iye akavaisa mumaoko menyu. Chiripo ndechokuti ziso raTenzi rinotarisa kwose kwose pasi pano kuti asimbise nokunyaradza vasina chinovarovesa hama pana iye Tenzi. Zvamaita ipapa apa ndezvoupenzi nokuti kubvira nhasi, hondo hadzichazokubvai.” Asa akashatirirwa muoni uyu akamupfigira mujeri nokuti akanga amuvirukira nehasha pamusana paizvozvi. Panguva imwecheteyo Asa akabata vamwe vanhu noutsinye. Inga dzimwe nyaya dzezvaAsa kubvira pakutanga kusvika pakupedzesera, dzakanyorwa wani muBhuku ramadzimambo okwaJudha neokwaIsiraeri. Mugore ramakumi matatu nechipfumbamwe Asa akaita chirwere chomutsoka, urwere hwake hwakazonyanyisa kwazvo. Kunyange nomuurwere hwake ihohu haana kutsvaka Tenzi, asi kuti akandotsvaka rubatsiro kun'anga. Asa akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake akafa mugore ramakumi mana nechiposhi rokutonga kwake. Vakamuviga muguva rake raakazvicherera padombo muguta raDhavhidhi. Vakamuradzika pane chokurara chakanga chakazadzwa mhando nemhando dzetunonhuwirira twakagadzirwa nenyanzvi dzokugadzira mafuta okuzora. Vakaita zimoto guru kwazvo vachimuremekedza. Jehoshafati mwanakomana wake akatonga panzvimbo pake akazvigadzirira kurwisana nevokwaIsiraeri. Akaisa varwi vehondo mumaguta ose etsvingo okwaJudha, akaisa zvikwata zvavarwi munyika yokwaJudha nomumaguta okwaEfuremu akanga akurirwa nababa wake Asa. Tenzi aiva naJehoshafati nokuti aitevedza makwara okutanga ababa vake. Haana kutsvaka vanaBhaari, asi aitsvaka Mwari wamadzibaba ake achitevedza mirao yake asingaite somuitiro wevokwaIsiraeri. Naizvozvo Tenzi akaita kuti umambo hudzike midzi mumaoko ake vokwaJudha; vose vaiunza mutero kuna Jehoshafati, iye akava noupfumi huzhinji achikudzwa kwazvo. Akanga akaisa mwoyo wake mune zvokunamata, Tenzi uyewo akabvisa maJudha nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nezvifananidzo zvokunamata zviAshera. Mugore rechitatu rokutonga kwake akatuma machinda ake aya anoti Bhenihairi naObhadhiya naZekariya naNetaneri naMikaya kundodzidzisa mumaguta okwaJudha. Akavatuma pamwechete nevaRevhi ava vaiti Shemaya naNataniya naZebhadhiya naAsaeri naShemiramoti naJehonatani naAdhoniya naTobhiya naTobhadhoniya, pamwechete nevaRevhi ivava akatuma vapristi ava vanoti Erishama naJehoramu. Vakadzidzisa munyika maJudha vaine Bhuku roMutemo waTenzi. Vakatenderera nomumaguta ose okwaJudha vachidzidzisa muvanhu. Kutya Tenzi kwakawira madzimambo enyika dzakapoteredza Judha akarega kuzorwisa Jehoshafati. Vamwe vechiFirisitia vakaigira Jehoshafati zvipo nesirivha yomutero. VaArabhu vakaunzawo kwaari zviuru zvinomwe zvina mazana manomwe ehondohwe nezviuru zvinomwe zvine mazana manomwe amakotora. Ukuru hwaJehoshafati hwakaramboenda mberi. Akavaka maJudha imomu maguta etsvingo neematura. Aiva nemirwi nemirwi yezvaakachengeta mumaguta okwaJudha. Aivawo nevarwi vehondo, magamba chaiwo okurwa hondo muJerusaremu. Mamiriro avakanga vakaita, dzinza nedzinza ndeaya: VokwaJudha: vatungamiriri vezviuru, paiti Adhina mutungamiriri wacho mukuru aina mazana matatu ezviuru zvavarume, mvumba chaidzo dzokurwa hondo achitevedzerwa nomumwe mutungamiriri mukuru, Johohanani aina mazana maviri anamakumi masere ezviuru. Achitevedzerwawo naAmasiya mwanakomana waZikiri aiva munhu akazvipira zvake kuita basa raTenzi aivawo namazana maviri ezviuru, mvumba chaidzo dzokurwa hondo. Kune vokwaBhenjamini: kwaiva naEriyadha mvumba chaiyo, gamba chairo rokurwa hondo aine mazana maviri ezviuru zvevarume vokurwa nemiseve nenhoo; achitevedzerwa naJehozabhadhi; aine vanhu zana rine makumi masere ezviuru vane zvombo zvehondo. Ivava vaishandira mambo pasingaverengerwe vaya vakanga vaiswa namambo mumaguta etsvingo munyika mose maJudha. Jehoshafati akati zvino ava noupfumi huzhinji achikudzwa kwazvo akaita ukama hwokuroorerana naAhabhu. Kwapera makore akati kuti akadzika kwaAhabhu kuSamaria. Ahabhu akamuurayira hwai nemombe dzakawanda pamwechete navanhu vaaiva navo, akamukurudzira kukwira kuRamoti kuGireadhi kundorirwisa. Ahabhu mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo wokwaJudha, “Hamungaendewo neni here kuguta reRamoti rokuGireadhi?” Akamupindura achiti, “Inga tiri vamwechete wani. Vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu. Tichange tinemi muhondo yacho.” Jehoshafati ndokuti kuna mambo wokwaIsiraeri, “Madii kutanga manzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo?” Ipapo mambo wokwaIsiraeri akaungaidza vaporofita mazana mana akavati, “Toenda here kundorwisa guta reRamoti kuGireadhi kana kuti ndorega zvangu?” Ivo ndokuti, “Endai zvenyu nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.” Asi Jehoshafati akati, “Hapana here mumwe muporofita waTenzi watingabvunze?” Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Pachine mumwe murume mumwechete watinganzwe naye kuti Tenzi anoti kudii nazvo. NdiMikaya mwanakomana waImura. Asi ini ndinomuvenga nokuti haamboporofita zvakanaka nezvangu asi zvakaipa mazuva ese.” Jehoshafati ndokuti, “Dai mukarega kutaura muchidaro mambo.” Mambo wokwaIsiraeri akadaidza rimwe gurukota ndokuriti, “Kurumidza kuunza pano Mikaya mwanakomana waImura.” Izvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoumambo vakapfeka magemenzi avo oumambo vagere panhandare pasuo guru rokupinda muSamaria. Izvozvo vaporofita vose vaingunoporofita vari pamberi pavo. Zedhekiya mwanakomana waKenaana akazvigadzirira nyanga dzesimbi ndokuti, “Zvanzi naTenzi, ‘Nenyanga idzi uchatunga nadzo vaSiria kusvikira vaparadzwa.’ ” Vaporofita vose ndozvavakaporofitawo izvozvo vachiti, “Kwirai zvenyu kuguta reRamoti rokuGireadhi mundokurira. Tenzi achariisa mumaoko amambo.” Nhume yakaenda kundodaidza Mikaya, yakamuti, “Chinzwaika, uku vaporofita vose shoko ravari kutaura rimwechete rokuti zvinhu zvichandonakira mambo. Saka imimi dai zvamuchandotaura zvikafananawo nezviri kutaurwa nomumwe nomumwe wavo zvivewo zvakanaka.” Asi Mikaya akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu kuti zvinenge zvarehwa naMwari wangu izvozvo ndozvandichataura.” Paakasvika pana mambo, mambo akamubvunza kuti, “Nhai Mikaya, toenda here kundorwisa guta reRamoti rokuGireadhi kana kuti ndorega zvangu?” Iye akapindura achiti, “A, endai zvenyuka mundokunda, vachaiswaka mumaoko enyu.” Asi mambo ndokumuti, “Unoda kuti ndikuudze kangani kundipikira kutaura chokwadi muzita raTenzi.” Iye ndokuti, “Ndaona Isiraeri yose yaita bararamhanya mumakomo sehwai dzisisina mufudzi. Tenzi akati, ‘Ivava ava havasisina vanatenzi vavo. Munhu wose ngaadzokere zvake kumusha kwake.’ ” Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndozvandambokuudzai wani kuti haaporofite zvakanaka nezvangu asi zvakaipa.” Mikaya akati, “Chinzwai zviri kutaurwa naTenzi. Ndaona Tenzi agere pachigaro chake choumambo akakutwa negurusvusvu rehondo dzose dzokudenga kurudyi nokuruboshwe. Tenzi ati, ‘Ndiani angaende zvake akafurira Ahabhu mambo wokwaIsiraeri kuti aende kuguta reRamoti kuGireadhi andopararirako?’ Vakadoma-toma vachitaura twakasiya-siyana, ndokubva kwauya mumwe mweya ukamira pana Tenzi ukati, ‘Ini zvangu ndinondomufurira.’ Tenzi akabva auti, ‘Unondomufurira sei?’ Iwo ndokuti, ‘Ndinoenda zvangu kundova mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita vake vose.’ Iye ndokuti, ‘Enda undomufurira, uchazvigona. Chienda uite saizvozvo.’ ” Naizvozvo chinzwai, “Tenzi aisa mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita venyu ivava. Pamatemerwa naTenzi pakaoma.” Zedhekiya mwanakomana waKenaana akaswedera munyasi naMikaya ndokumudzemura nembama padama akati, “Mweya waTenzi wabva sei mandiri uchiuya kuzotaura wavamauri?” Mikaya akati, “Chinzwaka, uchazvionera zvako musi wauchatizira mumba yomukati kundohwanda.” Mambo wokwaIsiraeri ndokuti, “Batai Mikaya uyu mudzokere naye kuna Amoni mutongi weguta rino, kuna Joashi mwanakomana wamambo muti, zvanzi namambo, pfigirai muchinda uyu mujeri, mumupe chokudya nemvura zvokudzora mwoyo chete kudzamara ini ndadzokawo zvakanaka.” Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka Tenzi anenge asina kutaurawo nemandiri.” Ndokubvawo ati, “Zvinzwei vanhu mose!” Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakakwidza kuguta reRamoti rokuGireadhi. Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichazvivanziridza kuita somumwewo munhu ndipindewo mukati mokurwa, asi imi mopfeka magemenzi enyu oumambo.” Mambo wokwaIsiraeri akazvivanziridza kuita somumwewo munhu ndokubva apindawo mukati mehondo. Izvozvo mambo weSiria akanga afanoudza vakuru vakuru vengoro dzake dzehondo kuti, “Regai zvenyu kuzvinetsa kuswerorwisa vakuru vakuru kana vadiki zvavo asi ingonanganai namambo wokwaIsiraeri.” Vakuru vakuru vengoro dzehondo vaya pavakaona Jehoshafati vakati, “Ndiyeyu chete mambo wokwaIsiraeri.” Ndokubva vati naye tande kumurwisa, Jehoshafati ndokubva aridza mhere, Tenzi ndokumubatsira. Mwari akavabvisa kwaari nokuti pakaona vakuru vakuru vaye kuti haasiriye mambo wokwaIsiraeri vakabva varega kumudzingirira. Asi mumwe murume akangokandawo zvake museve wake ukabaya mambo wokwaIsiraeri nechepakati panosangana mabandiko amademautare rapadundundu nereruoko kuzvidzivirira naro muhondo. Naizvozvo akati kumuchairi wengoro yake yehondo, “Chitendeuka unditakurire kunze kwehondo. Ndakuvadzwa ini!” Hondo yakatsviriridza musi iwoyo mambo wokwaIsiraeri ndokuramba akatsigirirwa ari mungoro yehondo akatarisa kuvaSirira kusvikira kumanheru ndokuzobva afa zuva rodoka. Jehoshafati mambo wokwaJudha akadzokera kumuzinda kwake kuJerusaremu zvakanaka. Asi Jehu mwanakomana waHanani muoni akaenda kundosangana namambo Jehoshafati akati kwaari, “Ndizvo here kubatsira wakaipa muchida vanovenga Tenzi? Pamusana paizvozvi Tenzi akuvirukirai nehasha. Kunyange zvakadaro, kune zvimwe zvakanaka zvinowanika mamuri nokuti makaparadza zvifananidzo zvokunamata zviAshera munyika ino mukaisa mwoyo wenyu pakutsvaka Mwari.” Jehoshafati aigara muJerusaremu achiendazve muvanhu kubvira kuBheerishebha kusvikira kunyika yokwaEfuremu yemakomo achivadzosera kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba avo. Akasarudza vatongi munyika umu mumaguta ose okwaJudha aiva netsvingo guta neguta. Akati kuvatongi, “Nyatsofungai zvamunoita nokuti hamutongere kufadza munhu asi Tenzi. Iye anemi pamunenge muchitonga. Saka zvino ivai vanhu vanotya Tenzi. Chenjererai zvamunoita nokuti muna Tenzi, Mwari wedu hamuna unyengedzi kana rusaruro kana kugamuchira pfumbamuromo.” NomuJerusaremuwo Jehoshafati akasarudza muvaRevhi nomuvapristi nomuvatungamiriri vedzimhuri dzeIsiraeri vamwe vavo kuitira kuti murao waTenzi uchengetwe nokugadziridza zvinenge zvanetsa. Vaigara muJerusaremu. Zvaakavatemera ndezvokuti, “Izvozvi ndizvo zvamuchaita mukutya Tenzi nomukutendeseka nomwoyo wose. Panenge mhosva yapirwa kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere mumaguta adzo iri yokudeura ropa kana yokutyora mutemo kana murao nezvirevo nezvirongwa; munofanira kuvadzidzisa kuitira kuti varege kupara mhosva pana Tenzi uye kuti arege kuvirukira nehasha imi nehama dzenyu. Izvozvo ndozvamunofanira kuita mugorega kupara mhosva. Chinzwai, mupristi mukuru Amariya ndiye anokutungamirirai mune zvinhu zvose zvaTenzi. Wokutarisa zvose zvokwamambo ndiZebhadhiya mwanakomana waIshimaeri mutongi wedzinza rokwaJudha. VaRevhi vachange varivo machinda enyu. Shingai muzviite, Tenzi ngaave zvake nomururami.” Mushure maizvozvi, vaMoabhu navaAmoni vaine vamwe vechiMeuni vakauya kuzorwisa Jehoshafati. Kwakauya vanhu kuna Jehoshafati vakamuudza kuti, “Kuri kuuya gurusvusvu ravanhu uku kuzokurwisai richibva kumhiri kwegungwa, richibva kuEdhomu. Kutaura kuno vatova kuHazazonitamari” (ndiko kunonzi kuEngedhi). Jehoshafati akapindwa nokutya akazvipira kutsvaka Tenzi, akatumira chirevo chokuti vanhu vatsanye munyika yose yaJudha. VokwaJudha vakaunganidzana kutsvaka kubatsirwa naTenzi. Vakakotonoka mumaguta ose okwaJudha kuzotsvaka kubatsirwa naTenzi. Jehoshafati akamira mugungano revokwaJudha novemuJerusaremu, mumba yaTenzi paruvanze rutsva ruya, akati, “Tenzi, Mwari wamadzibaba edu, imi hamusirimi Mwari here mudenga'mu? Inga wani umambo hwose hwamarudzi avanhu huri mumaoko enyu. Uyewo ukuru nesimba zviri mumaoko enyu, zvokuti hapana angamirisane nemi. Imi Mwari wedu hamusirimi here makadzingira kunze vanhu venyu vaIsiraeri vagari venyika ino mukaipa narini wose kuzvizvarwa zvaAbhurahamu shamwari yenyu. Mavakadai kugara vakatokuvakirai mairi nzvimbo inoera, nzvimbo ine zita renyu, vachiti kana dai kuri kuti tawirwa nenyatwa, ingave hondo iri shamhu yokuranga, kana denda, kana nzara, kana tikamira pamberi pemba ino, mberi kwenyu, pamusana pokuti zita renyu riri pamba iyoyi tikachema kwamuri tiri munhamo dzedu, imi muchateerera motiponesa. “Chionaiwo zvino, vanhu vokuAmnoni nevokuMoabhu nezvokugomo reSeiri vaya vane nyika dzamakarambidza kupinda pavakabuda kunyika yeIjipiti vaye vavakanyenyeredza vakarega kuvaparadza. Hezvi vauya kuzotitsiva nokutiburitsa munhaka yenyu yamakatipa kuti tigare. Nhai Mwari wedu mucharega here kuvaranga? Nokuti isu simba rokumirisana negurusvusvu revanhu riri kuuya kuzotirwisa hatina. Chokuita hatichaziva, chedu isu kwava kungotarisira kwamuri.” Izvozvo vanhu vokwaJudha vose vakanga vamire mberi kwaTenzi nepwere dzavo namadzimai avo navana vavo. Mweya waTenzi wakauya pana Johazieri mwanakomana waZekariya, Zekariya aberekwa naBhenaya, Bhenaya mwanakomana waJeieri, Jeieri aberekwa nomurevhi Mataniya mumwe wavana vokwaAsafu ari mukati megungano ravanhu. Akati, “Teererai munzwe, imi mose vaJudha nemi vagari vomuJerusaremu nemi mambo Jehoshafati! Tenzi ari kuti kwamuri musatye henyu, musapazamiswe musoro negurusvusvu revanhu racho nokuti hamusirimi mucharwisa, asi kuti Mwari ndiye acharwisa. Mangwana dzikai mundovarwisa. Izvozvo vachakuvingai nokumukwidza weZizi. Muchavawana vava kwakaperera bani racho, kumabvazuva kwerenje reJerueri. Zvokurwa, hamutomborwa zvenyu ipapa. Chenyu imi kurongana mongomira zvenyu muone kukurira kwaTenzi achiitiremi, iwe Judha newe Jerusaremu. Musatye, musapazamiswe musoro nazvo. Mangwana chaiwo vabudirei, Tenzi achava nemi.” Jehoshafati ndokubva atsikitsira pasi nouso, Judha yose navagari vomuJerusaremu vakati pasi zvambarara mberi kwaTenzi. VaRevhi vemba yokwaKohati nevokwaKora vakasimuka vachirumbidza nezwi guru Tenzi, Mwari weIsiraeri. Vakamuka rungwanagwana vakaenda kurenje reTekoa. Pavakanga vava kuenda Jehoshafati akasimuka akati, “Judha we-e newe mugari womuJerusaremu imbonditeerai munzwe! Vimbai naTenzi, Mwari wenyu, achaita kuti mugadzikane. Vimbai navaporofita vake zvikufambirei zvakanaka.” Kuzoti apedza kubvunza mazano kuvanhu, akasarudza vokuimbira Tenzi nokumurumbidza vakapfeka hanzu dzinoera vari mberi kwehondo vachiti, “Tendai Tenzi uye nokuti mwoyochena wake hauperi.” Pavakatanga kuimba nokurumbidza, Tenzi akaisa vokuhwandira vaAmoni navaMoabhu nevokuGomo reSeiri vakanga vauya kuzorwisa vokwaJudha ndokubva vakurirwa. Chakaitika ndechokuti, vechiAmoni nevechiMoabhu vakamukira vagari vokuGomo reSeiri vakavatsvaira. Pavakapedza kuuraya vagari vokuSeiri ava, vose vakatobatsira nokuurayana. VokwaJudha pavakasvika pokuongorora vari panharire yomurenje vakatarisa kugurusvusvu ravanhu riya onei wangova murakatira wezvitunha pasi pasina nomumwechete akanga apunyuka. Pakaenda Jehoshafati navanhu vake kundotora zvinhu zvokupamba kwavari, vakasvikowana kuna matanga namatanga emombe nemidziyo nehanzu nezvinhu zvinokosha kwazvo zvavakatora zvavo kuita zvavo, kusvikira pokuti kutakura zvimwe vakanga vasisagoni. Vakaita mazuva matatu ese vachitora zvavo zvinhu zvokupamba, zvakanga zvakawanda. Pazuva rechina vakaungana muBani rokurumbidza nokuti imomo ndomavakarumbidza Tenzi ndokusaka pakatumidzwa zita rokuti Bani rokurumbidza kusvikira pari nhasi. Vakazodzoka, munhu wose zvake wokwaJudha nowomuJerusaremu, izvozvo Jehoshafati achivatungamirira vachidzokera Jerusaremu, vasingagone nokufara nokuti Tenzi akanga aita kuti vafarire zvakanga zvaitwa vavengi vake. Vakasvika kuJerusaremu kumba yaTenzi madimbwa achiridzwa, zvipendani zvichidandaura, iwo mabhosvo achirira. Umambo hwenyika dzose hwakabatwa nokutya Mwari, pavakanga vanzwa kuti uku Tenzi akarwisa vavengi veIsiraeri. Nokudaro umambo hwaJehoshafati hwakava norunyararo nokuti Mwari wake akamupa runyararo kumativi ose. Uku ndokutonga kwakaita Jehoshafati kwaJudha. Akanga ava namakore makumi matatu namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi maviri namashanu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi. Akatevera makwara ose ababa vake Asa asingambotsaukamo achiita zvakarurama zvinodiwa naTenzi. Zvakadaro zvazvo, nzvimbo dziye dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vakanga vasati vaisa mwoyo yavo kuna Mwari wemadzibaba avo. Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoshafati kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera, dzakanyorwa wani muNhoroondo dzaJehu mwanakomana waHanani, munhoroondo dziri muBhuku reMadzimambo eIsiraeri. Mushure maizvozvi Jehoshafati mambo wokwaJudha akaita rimwe naAhaziya mambo wokwaIsiraeri aiita zvakaipa. Akabatana naye mukugadzira ngarava dzokuenda kuTarishishi. Vakagadzira ngarava idzodzo kuEzionigebheru. Ndopakaporofita Eriezeru, mwanakomana waDhodhavhawu wokuMaresha Jehoshafati achiti, “Pamusana pokuti maita rimwe naAhaziya Tenzi achaparadza zvamagadzira.” Ngarava dzacho dzakaparadzwa dzikatadza kusvika kuTarishishi. Jehoshafati akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoramu ndiye akatonga panzvimbo pake. Jehoramu aiva nevanun'una, vana vaJehoshafati ava vanoti: Azariya naMikaeri naJehieri naZekariya naAzariya naShefatiya. Vose ivava vana vaJehoshafati mambo wokwaJudha. Baba wavo vakavapa zvipo zvikuru zvesirivha nendarama nezvimwewo zvinhu zvakakosha pamwechete namaguta ane tsvingo okwaJudha. Asi umambo akapa kuna Jehoramu nokuti ndiye aiva dangwe. Jehoramu paakagara pachigara choumambo chababa vake zvino adzika midzi, akauraya nebakatwa vanun'una vake vose uyewo mamwe machinda eIsiraeri. Jehoramu akanga ava namakumi matatu amakore namakore maviri paakava mambo, akatonga ari muJerusaremu kwamakore masere. Iye akatevedzera makwara amadzimambo okwaIsiraeri sezvakanga zvaitwa nevemba yaAhabhu nokuti mudzimai wake aiva mukunda waAhabhu. Akaitawo zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Zvakadaro zvazvo Tenzi haana kuparadza imba yaDhavhidhi pamusana pechitenderano chaakanga aita naDhavhidhi sezvo akanga atsidzira kumupa mwenje unogara uchipfuta nokusingapere iye navanakomana vokwake. Panguva yake Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha ikazvigadzirawo mambo wayo. Uyu Jehoramu ndokuyambukirako aina vakuru vake vehondo nengoro dzose dzehondo. Akamuka nousiku akauraya vaEdhomu vakanga vamukomba iye navakuru vakuru vake vehondo. Nokudaro Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha kusvikira pari nhasi. Panguva iyoyo guta reRibhuna rakapandukawo rikarambawo zvokutongwa naye pamusana pokuti akanga afuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba ake. Uyewo akagadzira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira munyika yokwaJudha yamakomo akakwezvera vagari vomuJerusaremu muunzenza hwokunamata zvinhu zvisiri Mwari akaendesa vokwaJudha mutome. Kwakauya tsamba kwaari ichibva kumuporofita Eriya ichiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wenyu Dhavhidhi, ‘Pamusana pokuti hauna kutevedza makwara ababa wako Jehoshafati kana makwara aAsa mambo wokwaJudha ukatotevedza zvako gwara remadzimambo okwaIsiraeri ukakwezvera Judha nevagari vomuJerusaremu muunzenza hwokunamata zvinhu zvisiri Mwari sokutungamirira kwakaita imba yaAhabhu vokwaIsiraeri mukusatendeka uyewo ukaurayaka iwe vanun'una vako vomumba vaitova vanhu vari nani kunewe, chinzwa, Tenzi achaunza denda guru kwazvo pavanhu vako nepavana vako nepavakadzi vako nepaupfumi hwako hwose. Iyewewo uchava nechirwere chakaipisisa kwazvo, chirwere chomudumbu kudzamara ura hwako hwongoramba kuchibuda pamusana pechirwere chacho zuva nezuva.’ ” Tenzi akaita kuti vaFirisitia nevaArabhu vari pedyo nevaItiopia vaite hasha vamukire Jehoramu. Vakavinga Judha vakairwisa vakakukucha zvinhu zvose zvavakawana zvomumuzinda wamambo uyewo nevana vake vakomana navakadzi vake zvokuti hapana mwana waakasiyirwa kunze kwaJehoahazi mwanakomana wake mudiki. Mushure mezvose izvozvi, Tenzi akamurova nedenda romudumbu risingarapiki. Nokufamba kwenguva, kwapera makore maviri, ura hwake hwakabuda pamusana pechirwere ichochi akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vake havana kumuitira moto wokumuremekedza nawo semoto yaiitirwa madzibaba ake. Paakatangisa kutonga akanga ava namakore makumi matatu namaviri. Akatonga kwemakore masere ari muJerusaremu. Paakashaya hapana akamuchema. Vakamuviga muGuta raDhavhidhi, kwete mumakuva emadzimambo. Vagari vomuJerusaremu vakagadza Ahaziya mwanakomana wake muduku umambo panzvimbo pake nokuti chikwata chavanhu chiya chokuuya navaArabhu kuzorwisa chakanga chauraya vana vacho vakomana vakuru. Ipapo Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo wokwaJudha ndiye akatonga. Ahaziya akanga ava namakore makumi mana namaviri paakatanga kutonga, akatonga kwegore rimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Atariya muzukuru waOmuri. Ahaziya akatevedzerawo makwara evemba yaAhabhu nokuti amai vake ndivo vaimurunya uipi. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi sezvaiitwa nevemba yaAhabhu. Chaidariso ndechokuti ndivo vakasara vava vokumupa mazano baba wake afa, zvikamusvitsa mukuparadzwa. Akatevedza mazano avo kusvikira pakutozoenda zvake naJehoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsiraeri kundorwisa Hazaeri mambo weSiria kuRamoti rokuGireadhi. VaSiria vakakuvadza Joramu, akabva adzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzika kuJezirieri kundoona Jehoramu mwana waAhabhu sezvo ainge achirwara. Asi izvi zvakanga zvava chinhu chabva kuna Mwari kuti Ahaziya uyu pake pachimuperera nokushanyira Joramu kwaainge aita nokuti chakazoitika ndechokuti, paakasvikako akazobudawo pamwechete naJehoramu kundosangana naJehu mwanakomana waNimishi uya wokuzodzwa naTenzi kuti aparadze imba yaAhabhu. Jehu paakanga achiranga vemba yaAhabhu akasangana nemachinda okwaJudha navanakomana vevakoma navanun'una vaAhaziya, vaishandira Ahaziya, ndokubva avauraya. Akavhima Ahaziya, akazobatwa akahwanda kuSamaria. Akauyiwa naye kuna Jehu akaurayiwa. Vakamuviga nokuti vaiti uyu muzukuru waJehoshafati uya akatsvaka Tenzi nomwoyo wake wose. Kwakasara kusisina munhu wemba yaAhaziya aikwanisa kutonga nyika iyi. Amai vaAhaziya, Atariya pavakaona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka vakauraya vose vokumba huru vedzinza rokwaJudha. Asi Jehoshebha mukunda wamambo, akatora Joashi mwanakomana waAhaziya akamusvovesera mumba mokurara, iye nomureri wake pakati pevanakomana vamambo vakanga voda kuurayiwa. Ndozvakaitwa naJehoshebha mukunda wamambo Jehoramu mudzimai womupristi Jehoyadha nokuti vaiva hanzvadzi yaAhaziya vachimuhwandisa kuna Atariya naizvozvo haana kumuuraya. Akava navo kwamakore matanhatu akahwanda mumba yaMwari, Atariya achitonga nyika iyi. Kuzoti mava mugore rechinomwe, Jehoyadha akatsunga mwoyo akaita chitsidzirano navatungamriri vezana ava vanoti Azariya mwanakomana waJerohamu naIshimaeri mwanakomana waJehohanani naAzariya mwanakomana waObhedhi naMaaseya mwanakomana waAdhaya naErishafati mwanakomana waZikiri. Vakabvongodza nyika yokwaJudha vachikokorodza vaRevhi mumaguta okwaJudha ose navakuru vakuru vemadzinza eIsiraeri vakauya kuJerusaremu. Gungano rose rakaita chibvumirano namambo vari mumba yaMwari. Jehoyadha akati kwavari, “Hoyu mwanakomana wamambo! Regai achitonga sokutaura kwakaita Tenzi pamusoro pevanakomana vaDhavhidhi. Zvamunofanira kuzoita ndezvizvi: vapristi nevaRevhi vaya pazvikwata zvitatu zvinouya kuzoita basa musi weSabata; chikwata chimwechete ngachichengetedze pamisuo mikuru, chimwe chive pamuzinda wamambo, chimwe chiri paSuo Guru roUgaro, vanhu vose vave muzvivanze zvepamba yaTenzi. Ngakurege kuva nomunhu anopinda mumba yaTenzi kunze kwevapristi nevaRevhi vanoshandamo, vangapinde zvavo nokuti vanhu vakatsaurwa vatsvene. Asi vanhu vose ngavachengete zvakatemwa naTenzi. VaRevhi vanofanira kukuta vakatenderedza mambo mumwe nomumwe akabata mumaoko zvombo zvake zvehondo. Kuwana anenge angofemera kupinda mumba macho ngaauraiwe. Ivai namambo paanopinda napaanobuda.” VaRevhi nevose vokwaJudha vakaita zvose zvakanga zvanzi nomupristi Jehoyadha zviitwe. Mumwe nomumwe wavo akauya navanhu vake vakanga vasingafanire kuuya pabasa musi weSabata navaye vakanga vachifanira kuva pabasa musi weSabata pamusana pokuti mupristi Jehoyadha haana kunga ati zvikwata zvacho zviende. Mupristi Jehoyadha akaisa mumaoko avakuru vakuru vehondo nenhoo huru nediki dzaimbenge dziri dzamambo Dhavhidhi dzaiva mumba yaMwari. Akaronga vanhu vose kuti vachengetedze mambo, munhu wose akabata mumaoko chombo chake chehondo kubvira kumaodzanyemba kwemba kusvikira kuchamhembe kutenderedza atari nemba yamambo. Akabva aburitsa mwanakomana wamambo akamudzika ngundu youmambo akamupa bumbiro romutemo akazivisa kuti ndiye mambo. Jehoyadha navanakomana vake vakabva vamuzodza mafuta vachimugadza vakati, “Mambo ngazvirambe zvakadaro!” Pakanzwa Atariya zhowezhowe ravanhu vaimhanya vachirumbidza mambo akaenda kumba yaTenzi kuvanhu. Paakatarisa akaona hoyo mambo amire pedyo nomusimboti wake kumusuo, vakuru vakuru vehondo nevokuridza mabhosvo vamire namambo, vanhu vose venyika iyi vachipembera kufara, mabhosvo achirira, vaimbi vachiridza midziyo yokuimbisa vachitotungamirira pakupemberera kwacho; Atariya akabvarura hanzu neshungu dzake akadaidzira achiti, “Kwapandukwa! Kwapandukwa!” Mupristi Jehoyadha akaudza vakuru vakuru vokutungamirira hondo kuti, “Mubvisei mumitsetse yevachengetedzi mumuburitse muuraye nebakatwa ani naani anenge woda kutsigirana naye.” Izvozvo mupristi aiti haafaniri kuurayirwa mumba yaTenzi. Nokudaro vakamubata akapfuura nepaSuo Guru reMabhiza repamuzinda wamambo vakamuurayirapo. Jehoyadha akaitisa chibvumirano pakati pake navanhu vose namambo chokuti vave vanhu vaTenzi. Vanhu vose ivavo vakaenda kumba yaBhaari vakaipaza. Atari dzake nezvifananidzo zvake vakazvipwanya-pwanya vakauraya Matani mupristi waBhaari pamberi peatari dzacho. Jehoyadha akabva aisa vokugaririra pamba paTenzi vachitungamirirwa navapristi vechiRevhi navaRevhi vakanga varongwa naDhavhidhi kuti vave vokuona nezvemba yaTenzi kuti vapote vachipira mipiro yokupisa kuna Tenzi sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi vachipembera kufara nokuimba maererano nezvakanga zvanzi naDhavhidhi zviitwe. Akaisa vachengetedzi vepamisuo mikuru pamisuo mikuru yepamba paTenzi kuti parege kupinda ani zvake anenge akan'ora nenzira ipi neipi zvayo. Akatora vakuru vakuru vehondo navamwe vakuru vakuru namasadunhu avanhu navanhu vose venyika iyi vakandotora mambo kumba yaTenzi vakadzika naye vakapfuura napasuo guru roKumusoro rokumuzinda wamambo. Vakagarisa mambo pachigaro choumambo. Vanhu vose venyika iyi vakapembera kufara, muguta mukava norunyararo mushure mokunge Atariya aurayiwa nebakatwa. Joashi akanga ava namakore manomwe paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi mana emakore ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Zibhiya vokuBheerishebha. Joashi akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi mazuva ose oupenyu hwomupristi Jehoyadha. Jehoyadha akamuroorera vakadzi vaviri ndokubva ava navana vakomana navasikana. Shure kwaizvozvi Joashi akaronga kugadzira imba yaTenzi. Akakokorodza vapristi nevaRevhi akavati, “Endai kumaguta omunyika maJudha muunganidze mari yokugadzirisa imba yaMwari wenyu gore negore, mukurumidze kuita izvozvo.” Asi vaRevhi havana kuchimbidzika. Mambo akadaidza mukuru wacho Jehoyadha akamuti, “Ko makazoregereiko kuti vaRevhi vaunze maJudha umu nomuJerusaremu mutero womutendhe rechitenderano wakatemwa naMosesi muranda waTenzi negungano reIsiraeri?” Zvaiva zvaitika ndezvokuti vanakomana vaAtariya mukadzi wokuipa mwoyo uya vakanga vapaza vakapinda mumba yaTenzi uyewo vakanga vashandisira vanaBhaari zvinhu zvose zvaiva zvateketererwa kuna Mwari zvepamba paTenzi. Ipapo mambo akapa chirevo vakagadzira zibhokisi guru rikaiswa nechokunze pasuo guru remba yaTenzi. Kwakaziviswa maJudha mose nomuJerusaremu kuti kuna Tenzi kuunzwe mutero wakatemerwa vaIsiraeri vachiri murenje naMosesi muranda waMwari. Machinda ose navanhu vose vakafara kwazvo vakaunza mutero wavo vachikanda muzibhokisi iri kusvikira vazopedza. Zibhokisi guru iri parakaunzwa navaRevhi kumachinda amambo ivo vaiti vakaona kuti mune mari yawanda; samunyori mukuru wokwamambo nomuchinda womupristi mukuru vaiuya voibvisa muzibhokisi racho voritakura voridzosera panzvimbo paro. Ndozvavaiita zuva nezuva vakaunganidza mari yakawanda. Mambo naJehoyadha vaizoipa kune vaiva vokuona nezvebasa remba yaTenzi; ivavowo vaizobhadhara vokuvaka namatombo navavezi kugadzira imba yaTenzi uyewo nemhizha dzezvinhu zvesimbi nezvendarira kuti imba yaTenzi igadzirwe. Nokudaro vanhu vaiva vokuita basa irori vakashanda. Mumaoko avo, basa iri rakaramboitwa vakagadzira imba yaMwari kudzosera voiita zvayakanga yakaita vachiisimbisa. Pavakapedza, imwe mari yose yakanga yasara vakaiendesa kuna mambo navaJehoyadha ikagadziriswa midziyo yomumba yaTenzi yokushandisamo neyepamipiro yokupisa uye nemadhishi orusenzi nemidziyo yendarama neyesirivha. Vakazogara zvino vachipira mipiro yokupisa mumba yaTenzi mazuva ose oupenyu hwavaJehoyadha. Asi kwakati zvino vaJehoyadha akwegura aita ndaramo chaiyo, akafa. Akafa ava nezana remakore rine makore makumi matatu. Vakamuviga muguta raDhavhidhi maivigwawo madzimambo pamusana pokuti akanga aita zvakanaka muIsiraeri kuna Mwari nokutemberi yake. Mushure mokufa kwaJehoyadha, machinda okwaJudha akaenda akandogwadamira mambo, mambo akabvumirana nezvavakataura. Vakafuratira imba yaTenzi, Mwari wamadzibaba avo vakandonamata zvifananidzo zviAshera nezvimwe zvifananidzo zvokunamata. Mhaka iyoyi yakapfukira vokwaJudha nevomuJerusaremu. Mwari akatuma vaporofita mukati mavo kuti vavadzorere kuna Tenzi, ivava ava vakavayambira asi havana kumboteerera. Mweya waMwari wakafukidza Zekariya mwanakomana wavaJehoyadha mupristi akamira pakadaro apo akatarisa pavanhu akati kwavari, “Zvanzi naTenzi munodarikirei mitemo yaTenzi zviri kukusakisai kudai kuti mutadze kubudirira? Pamusana pokuti mafuratira Tenzi iyewo akufuratiraiwo.” Asi ivo vakamuitira bangano. Mambo akamuurayisa navanhu vakamutema namatombo muchivanze chemba yaTenzi. Mambo Joashi haana kumborangarira mwoyochena waakaitirwa nababa vaZakaria vaJehoyadha asi kuti akatouraya mwanakomana wake iyeyu. Paakanga ava kufa akati, “Tenzi ngaakuonei awane zvaangaite nemi.” Kuzoti gore ropera hondo yavaSiria yakauya kuzorwisa Joashi. Yakauya kwaJudha nokuJerusaremu ikaparadza mukati mevanhu machinda ose avanhu ikatumira zvinhu zvayo zvose zvayakapamba kuna mambo weDhamasikusi. Kunyange zvazvo hondo yavaSiria iyi yakanga yauya navarume vokurwa vashomanini, Tenzi akaisa mumaoko avo hondo huru kwazvo nokuti vakanga vafuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba avo. Ndozvakaita vaSiria kuranga Joashi. Pavakabva paari vakamusiya akuvara kwazvo. Makurukota ake akarangana kumupandukira pamusana peropa raakadeura ravanakomana vokwaJehoyadha mupristi vakabva vamuuraya pamubhedha wake akafa. Vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga mumakuva emadzimambo. Vananyakumupandukira ava ndivanaZabhadhi mwanakomana wavaShimea mumwe mukadzi wechiAmoni naJehozabhadhi mwanakomanawo womumwe mukadziwo wechiMoabhu ainzi Shimuriti. Nyaya dzezvevana vake vakomana nokutsiurwa kwose kwaaiitwa naMwari nokugadzira kwaakaita imba yaMwari zvakanyorwa Mubhuku Rokutsanangura zviri muBhuku reMadzimambo. Mwanakomana wake, Amaziya, ndiye akazotonga panzvimbo pake. Amaziya akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jehoadhani vomuJerusaremu. Iye akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi asi akanga asina kunyatsoti tsvikiti pamwoyo pake. Umambo pahwakanga zvino hwava mumaoko ake chaizvo akauraya makurukota akauraya mambo, baba vake. Asi haana kuuraya vana vavaurayi ava sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku romutemo waMosesi panonzi naTenzi, “Madzibaba haafaniri kuurayirwa mhosva dzavana. Vanawo havafaniri kuurayirwa mhosva dzamadzibaba. Munhu wose anofira mhosva yake iye pachake.” Amaziya akazokokorodza varume vokuhondo vokwaJudha akavaronga imba nemba vari pasi pevatungamiriri vezviuru nevemazana vari vose zvavo vokwaJudha nevokwaBhenjamini. Akaverenga vaiva namakore makumi maviri zvichikwira akawana vari zviuru mazana matatu zvavarume chaivo vakanyatsosarudzwa vanogona kuenda kuhondo vaigona kutakura nhoo nemapfumo. Akakokawo varwi vokwaIsiraeri mvumba chaidzo, magamba okurwa hondo zana rezviuru vaakaita zvokubvisira mari yesirivha inorema matani mana. Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari akati, “Mambo! Regai zvenyu kuendako nehondo yokwaIsiraeri nokuti Tenzi haasi nevokwaIsiraeri, uye haasiri navose vekwaEfuremu ava. Kunyange mukati ndoita chivindi chokurwa hondo, asi Mwari achakuputsirai pasi pamberi pevavengi vacho nokuti Mwari ane simba rokubatsira kana rokuumburudza munhu pasi.” Amaziya ndokuti kumunhu waMwari, “Zvino toita sei namatani mana esirivha andakapa kuhondo yokwaIsiraeri.” Munhu waMwari akapindura achiti, “Tenzi anogona kukupai yakawanda kutopinda iyoyo.” Ipapo Amaziya akakotonotsa hondo yakanga yauya kwaari yabva kwaEfuremu kuti vaende zvavo kumusha. Ivo vakabva vavirukira vokwaJudha nehasha kwazvo vakadzokera kumusha vakapaka kwazvo nadzo. Asi Amaziya akatsunga mwoyo akabuda otungamirira vanhu vake akaenda kuBani roMunyu akauraya gumi rezviuru zvevanhu vokuSeiri. Varume vokwaJudha vakabata vamwe gumi rezviuru vari vapenyu vakaenda navo pamusoro peibwe, ndokuvatozomotsera pasi vose vakapwatikira pasi. Asi varwi vaye vehondo iya yokudzorwa naAmaziya asisavabvumire kuenda naye kuhondo vakarwisa maguta okwaJudha kubvira kuSamaria kudzamara kuBhetihoroni vakauraya zviuru zvitatu zvavanhu. Vakakukucha kupamba zvinhu. Kuzoti Amaziya adzoka kuya kwaakandouraya vaEdhomu akauya navamwari vokuSeiri akavamisa savamwariwo vake akabva ovanamata otopira zvake mipiro kwavari. Naizvozvo Tenzi akashatiririrwa Amaziya akamutumira muporofita akasvikoti kwaari, “Chawavakuendera kune vamwari vevanhu vechirudzi vasinakukwanisa kununura vanhu vavo mumaoko avo chii?” Asi achingunotaura kudaro mambo akamugamha achiti, “Zviye takakusarudza kuti uve jinda ramambo nhai? Chinyarara! Chowofirawo zvako chii ipapa?” Muporofita ndiye zii zvake asi akangoti, “Chandinoziva ini ndechokuti Mwari afunga zvokukuparadzai pamusana pezvamakaita uye nokusateerera zano rangu.” Amaziya mambo wokwaJudha akabvunza mazano akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo wokwaIsiraeri achiti, “Uya timirisane.” Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akatumawo nhume kuna Amaziya mambo wokwaJudha achiti, “Kananga kepaRebhanoni kakatumira nhume kumuti womusidhari wepaRebhanoni kachiti, ‘Rega mwanasikana wako aroorwe nomwanakomana wangu ave mukadzi wake.’ Chimwe chikara chomuRebhanoni chakapfuura nepo chikakatsikirira pasi. Unotika iwe wakakurira Edhomu chaizvo ukabva waita zenze kuzvikudza. Zvino iwe gara zvako kumba. Unodirei kuzvidenhera nhamo inokuridibura iwe pamwechete naJudha?” Asi Amaziya haana kumbozviteerera nokuti zvaiva zvaMwari aida kuvaisa mumaoko avavengi vavo pamusana pokuti vakanga vavakunamata vamwari vechiEdhomu. Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akakwirako, iye naAmaziya mambo wokwaJudha vakamirisana kurwa hondo kuBhetishemeshi rokwaJudha. VokwaJudha vakakurirwa novokwaIsiraeri munhu wose rikava bararamhanya kutizira kumusha. Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akabata Amaziya mambo wokwaJudha mwanakomana waJoashi mwanakomana Ahaziya kuBhetishemeshi. Akaenda naye kuJerusaremu akapaza mbimbi yorusvingo rweJerusaremu inoita mamita mazana maviri kubvira pasuo guru raEfuremu kusvikira pasuo guru rapaKona. Akapamba ndarama yose nesirivha nemidziyo yose yaiva mumba yaMwari zvainge zviri mumaoko aObhedoedhomu. Akapambawo upfumi hwomumuzinda wamambo. Akatorawo nhapwa ndokubva adzokera kuSamaria. Amaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha akagara makore gumi namashanu mushure mokufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo wokwaIsiraeri. Inga dzimwe nyaya dzezvaAmaziya kubvira pakutanga kusvikira pokupedzesera dzakanyorwa wani muBhuku raMadzimambo okwaJudha neokwaIsiraeri. Kubvira paakafuratira Tenzi, vakaita bangano rokumupandukira muJerusaremu, iye akabva atizira kuRakishi. Asi vakatuma vanhu kuRakishi vakamuurayira ikoko. Vakauya naye vakamutakura nemabhiza akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Vanhu vose vokwaJudha vakatora Uziya akanga ava namakore gumi namatanhatu vakamugadza umambo panzvimbo pababa vake Amaziya. Akavaka guta reEroti akaridzosera kune vokwaJudha mushure mokunge mambo aendawo kwakaenda vamwe madzitatuguru ake. Uziya akanga ava namakore gumi namatanhatu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu namaviri ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi vaJekoriya vomuJerusaremu. Iyeyu akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa nababa vake Amaziya. Akaisa mwoyo mune zvokutsvaka Mwari mumazuva oupenyu hwavaZekariya vaimudzidzisa kutya Mwari achitsvaka Tenzi kudaro, Mwari akaita kuti abudirirewo. Akabudira vaFirisitia akandovarwisa akapaza rusvingo rweguta reGati norusvingo rweguta reJabhune norusvingo rweguta reAshidhodhi. Akavaka maguta mudunhu reAshidhodhi nokumwewo mukati mevaFirisitia. Mwari akamubatsira kurwisa vaFirisitia nevaArabhu vaigara kuGurubhaari uye kurwisa vechiMeuni. VaAmoni vaitera mutero kuna Uziya, mukurumbira wake ukasvika kumuganhu neIjipiti kwose nokuti akanga azova nemasimba kwazvo. Chimwe ndechokuti, Uziya akavaka nharire muJerusaremu pasuo guru repaKona nesuo guru rokuBani napakona pacho akadzivakirira norusvingo. Akavakawo nharire kurenje akafonon'ona mabwe kuita magaringiro mazhinji okuchengetedza mvura nokuti aiva namatanga namatanga emombe makuru kwazvo kunyika yamanhika yeShefera nokubani. Aivawo navarimi nevokuchengetedza migirepisi muzvikomo nomuminda ine vhu chairo rakanaka pamusana pokuti zvourimi izvi aizvida. Chimwewo ndechokuti Uziya uyu akanga aine hondo yevarwi vaigona kuenda kuhondo vari chikwata nechikwata sokuverengwa kwavakaitwa vachirongwa nasamunyori mukuru Jeieri nerimwe jinda rainzi Maaseya vachitungamirirwa naHananiya mumwe wevatungamiriri vokwamambo. Vakuru vakuru vedzimhuri vaiva mvumba chaidzo, magamba okurwa hondo vose pamwechete vaiva zviuru zviviri zvine mazana matanhatu avanhu. Vaitungamirira hondo yavarwi yaiita zviuru mazana matatu ane zvinomwe ane vanhu mazana mashanu vaikwanisa kurwa hondo nesimba guru kwazvo vokubatsira mambo kurwisa muvengi. Uziya akagadzirira hondo yose nhoo nemapfumo nenguwani dzoutare nemademautare okuzvidzivirira nawo nouta namatombo okukanda nezvimviriri. MuJerusaremu akagadzirira michini yakanga yafungwa ikagadzirwa nedzimwe ngwazi dzavanhu kuti ishandiswe panharirire nepamakona yokukandisa miseve namatombo. Mukurumbira wake wakapararira kure kure nokuti akabatsirwa zvisina akamboona kudakara ava namasimba. Pakanga zvino Uziya ava namasimba kudaro akatanga kuzvikudza zvikazomuparadza. Chakaitika ndechokuti haana kuva pachokwadi naTenzi, Mwari wake. Akapinda mutemberi yaTenzi kundopisa rusenzi paatari yourusenzi. Asi mupristi Azariya pamwechete nevapristi vaTenzi vane chivindi makumi masere vakamuteveramo. Vakasvikira mambo Uziya vakamuti, “Uziya iwe zvokupisira rusenzi kuna Tenzi hazvisi zvenyuka izvi, asi ndezvevapristi vanakomana vokwaAroni vakateketererwa kuna Mwari kuti vapise rusenzi. Ibva munzvimbo inoera nokuti watotadzira Tenzi Mwari haambokuremekedza nazvo.” Uziya akashatirwa, izvozvo akanga akabata mumaoko bisiro rokupisira rusenzi. Ashatirirwa vapristi kudaro, akabva abuda maperembudzi pahuma pake, pana vapristi ipapo mumba yaTenzi pedyo neatari yorusenzi. Azariya mupristi mukuru navapristi vose vakatarisa kwaari, onei atova nemaperembudzi pahuma. Vakamuburitsa nokukurumidza. Iyewo akakasika kubuda nokuti Tenzi akanga amurova neshamhu. Mambo Uziya akazogara ava munhu ana maperembudzi kudzimara musi wokufa kwake. Somunhuwo aiva nemaperembudzi kudaro aigara ari kwake oga mumba, pamusana pokuti akanga asisabvumirwe mumba yaTenzi. Mwanakomana wake Jotamu ndiye akava samusha womumuzinda wamambo achitonga vanhu munyikamo. Dzimwe nyaya dzezvaUziya kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera dzakanyorwa nomuporofita Isaya, mwanakomana waAmozi. Uziya akazovatawo oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake. Vakamuviga pamwechete nemadzibaba ake kunzvimbo yemakuva aivigwa madzimambo nokuti vakati, “Ane maperembudzi.” Mwana wake Jotamu ndiye akatonga panzvimbo pake. Jotamu akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jerusha mwanasikana waZadhoki. Jotamu akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwawo nababa vake Uziya, chete uyu haana kuzopindira mune zvomuTemberi yaTenzi. Asi vanhu vakanga vachiri kungoita zvakaipa. Akavaka Suo Guru roKumusoro repamba paTenzi. Akavakiridza zvakanyanya kwazvo Madziro eOfero. Akavakawo maguta kunyika yokwaJudha yamakomo, mumasango akavaka maguta etsvingo nenharire. Akarwisana namadzimambo avaAmoni akavakurira. Gore iroro vaAmoni vakatera mutero wamatani mana esirivha, nechiuru chamatani ekoroni nechiuruwo chematani ebhari. VaAmoni vakabvisa mutero mumwechetewo mugore rechipiri nerechitatu racho. Saizvozvo Jotamu akava namasimba pamusana pokuti akaruramisa makwara ake pana Tenzi, Mwari wake. Dzimwe nyaya dzezvaJotamu nehondo dzaakarwa namaitiro ake, zvakanyorwa muBhuku reMadzimambo okwaIsiraeri newokwaJudha. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Jotamu akazovatawo oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake. Vakamuviga muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake, Ahazi ndiye akazotonga panzvimbo yake. V: KUSANDURA ZVIKURU KWAKAITWA NEHEZEKIYA NAJOSIYA A: ZVITADZO ZVAAHAZI, BABA WAHEZEKIYA. Ahazi akanga ava namakore makumi maviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Haana kuita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa natateguru wake Dhavhidhi, asi akatevedza gwara remadzimambo okwaIsiraeri. Akatosvika pakugadzira zvifananidzo zvaBhaari zvoutare hwokunyungurutsa. Akapisira rusenzi mubani romwanakomana wokwaHinoni. Akapisawo vanakomana vake sechibayiro samaitiro akaipisisa kwazvo aiitwa namarudzi aye akadzingirwa vaIsiraeri naTenzi. Akapira zvibayiro akapisa rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzacho napamwe pakatunhumara nomumimvuri yose yemiti minyoro. Naizvozvo Tenzi, Mwari wake akamuisa mumaoko amambo weSiria akamukurira akatapa gurusvusvu chairo revanhu vake akaenda navo kuDhamasikusi. Akaiswawo mumaoko amambo wokwaIsiraeri akamukurira zvokumuparadza chaizvo, nokuti nezuva rimwechete chairo, Peka mwanakomana waRemariya akauraya vanhu zviuru zana nemakumi maviri maJudha vose vakanga vari mvumba chaidzo dzokurwa hondo pamusana pokuti vakanga vafuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba avo. Zikiri gamba rokwaEfuremu rakauraya Maaseya mwanakomana wamambo, naZirikamu mukuru mukuru womumuzinda naErikana mutevedzeri wamambo. Varwi vokwaIsiraeri vakatora nhapwa dzaikwana mazana maviri ezviuru nehama dzavo, vakadzi, nevana, vakomana navasikana. Vakavapambawo zvinhu zvakawanda vakaenda nazvo kuSamaria. Asi kwakanga kuine muporofita waMwari ainzi Obhedhi akabuda kundosangana nehondo yacho yaienda kuSamaria akati kwavari, “Chinzwai, pamusana pokuti Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu akashatirirwa vokwaJudha, akavaisa mumaoko menyu. Asi imi mavauraya noutsinye hwasvika nokudenga kwose, Zvino mava kuda kuisa pasi penyu vanhu vokwaJudha neveJerusaremu, varume navakadzi, kuvaita varanda venyu. Iyemi hamunawo here zvitadzo zvenyu zvamakatadzira nazvo Tenzi, Mwari wenyu? Saka chindinzwai mudzosere nhapwa idzi dzamatapa kuhama dzenyu nokuti Tenzi atokushatirirwai zvakanyanya.” Vamwe vakuru vakuruwo vevanhu vokwaEfuremu vanoti Azariya mwanakomana waJohanani naBherekiya mwanakomana waMeshiremoti naJehizikiya mwanakomana waSharumu naAmasa mwanakomana waHadhirai vakamira vopikisana nevainge vachiuya vachibva kuhondo vachivati, “Regai kuunza nhapwa idzo muno nokuti mava kuda kutipinza mumhosva naTenzi topara dzimwe pamusoro pemhosva dzedu nezvitadzo zvatinazvo izvozvi, nokuti mhosva yedu yakatokura kare uye yatoipa kwazvo kupfukira vokwaIsiraeri.” Nokudaro varwi vaya vakanga vakapakata zvombo zvehondo vakasiya nhapwa nezvinhu zvavakanga vapamba paiva nemachinda negungano rose. Varume vakanga vadomwa namazita vakasimuka ndokutora nhapwa dziya, dzakanga dzisina chadzakapfeka vakadzipfekedza hanzu neshangu mumakumbo vachitora pane zvakanga zvapambwa. Vakavapa chokudya nechokunwa vakavazora mafuta. Vakatakura vose vakanga vaneta pakati pavo pamadhongi, vakaenda navo kuJeriko guta romurara, kuhama dzavo. Ndipo pavakazodzokera kuSamaria. Panguva iyoyo, mambo Ahazi akatumira shoko kuna mambo weAsiriya achida rubatsiro. Zvakaitika ndezvokuti, vaEdhomu vakauya zvakare kuzorwisa, vakabva vakurira vokwaJudha ndokutapa nhapwa vachienda nadzo. VaFirisitia vakanga varwisa maguta omunyika yamanhika yeShefera nomuNegevhu yokwaJudha. Vakanga vakurira maguta eBhetishemeshi neAijaroni neGedheroti neSoko nemisha yaro neTimuna nemisha yaro neGimuza nemisha yaro, ndokubva vagara ikoko. Sezvo Tenzi akadupikisa Judha pamusana paAhazi mambo wokwaIsiraeri nokuti akanga aita zvisina nomusoro wese uye atorega kuva munhu ari pachokwadi naTenzi. Nokudaro Tirigatipirieseru mambo weAsiria akauya kuzomurwisa akamuonesa nhamo panzvimbo pokumutsigira nokuti Ahazi akatora zvinhu muimba yaTenzi nomumuzinda wamambo nokumachinda, akatera nazvo kuna mambo weAsiria asi hazvina kumubatsira. Panguva yake yokutambudzika ndopaakatonyanya kuva munhu asiri pachokwadi naTenzi, iye mambo Ahazi wakareyu. Pamusana pokuti akapira zvibayiro kuvamwari veDhamasikusi vakamukurira achiti, “Pamusana pokuti vamwari vamadzimambo eSiria akavabatsira regai ndichipirawo zvibayiro kwavari vagondibatsirawo.” Asi ndovakava mharadzi yake neyevose vokwaIsiraeri. Ahazi akaunganidza pamwechete midziyo yomumba yaMwari, akadimura-dimura midziyo yomumba yaMwari. Akapfiga misuo yepamba yaTenzi akazvigadzirira atari pakona yose yose muJerusaremu. Mumaguta ose okwaJudha akagadzira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzokupisira rusenzi kune vamwari vasirivo akavirutsa nehasha Tenzi, Mwari wemadzibaba ake. Dzimwe nyaya dzezvake namaitiro ake ose kubvira pokutanga kusvikira pokupedzesera dzakanyorwa muBhuku raMadzimambo okwaJudha newokwaIsiraeri. Ahazi akazovatawo oenda kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake. Vakamuviga muguta reJerusaremu nokuti havana kuenda naye mumakuva emadzimambo okwaIsiraeri. Mwanakomana wake Hezekiya ndiye akazotonga panzvimbo pake. Hezekiya akatanga kutonga ava namakore makumi maviri namashanu, akatonga kwamakore makumi maviri namapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Abhiya mwanasikana waZekariya. Hezekiya akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwawo navasekuru vake Dhavhidhi. Mugore rake rechiposhi rokutonga, mumwedzi wokutanga akazarura misuo yapamba paTenzi akaigadzira. Akaunzawo vapristi navaRevhi akavaunganidza munhandare kumabvazuva akati kwavari, “Nditeererei munzwe imi vaRevhi! Chizvichenurai muchenurewo imba yaTenzi, Mwari wamadzibaba enyu mutakure tsvina iyi muibvise munzvimbo inoera. Nokuti madzibaba edu anga ari vanhu vasiri pachokwadi naMwari'ka vanga vachiita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wedu. ZvaMwari, vakakanda pasi vakafuratira ugaro hwaTenzi vakamupa gotsi. Vakapfigawo misuo yakamba kepamusuo wokupinda muno, vakadzima marambi vakarega kupisira kuna Mwari weIsiraeri rusenzi kana kupira mipiro yokupisa munzvimbo inoera. Ndokusaka Tenzi akavirukira nehasha Judha neJerusaremu akabva adziita kuti dzive sechinhu chokuti ukaona unodedera nokutya, chinokatyamadza chichikushayisa neromuromo sezvamuri kungozvionerawo nameso enyu. Chitarisaika muone kuti madzibaba edu navana vedu vakomana navasikana vakaurayiwa namapakatwa uye vakadzi vedu vari kuhutapwa naizvozvi izvi. “Zvino chandafunga mumwoyo mangu ini kuita chitenderano naTenzi, Mwari weIsiraeri kuitira kuti achirega kutivirukira nehasha dzake dzinotyisa. Vanangu regai kuva nechamuchaitira nungo nokuti Tenzi akasarudzemi kuti mupote muchimira paari muchimushandira muri vashandi vake muchimupisira rusenzi.” VaRevhi ava vakazosimuka, paiti: Mahati mwanakomana waAmasai naJoeri mwanakomana waAzariya vokuvanakomana vokwaKohati, pouya kuvanakomana vokwaMerari Paiti: Kishi mwanakomana waAbhudhi naAzariya mwanakomana waJeharereri poti kuvanakomana vokwaGerishoni Joa mwanakomana vaZima naEdheni mwanakomana waJoa kune vokwaErizafani paiti Shimuri naJeueri pozoti kuvanakomana vokwaAsafu paiva naZekariya naMataniya pachizoti kuvanakomana vokwaHemani paivawo naJehueri naShimei kuvanakomana vokwaJedhutuni paiti Shemaya naUzieri. Vakaunganidza hama dzavo vakazvichenura vakapinda sokutaurawo kwakanga kwaita mambo maererano neshoko raTenzi kundonatsa imba yaTenzi. Vapristi vakapinda mukati memba yaTenzi kundoinatsa. Vakaburitsa muruvanze rwemba yaTenzi zvose zvaiva zvakan'ora zvavakawana muTemberi yaTenzi. VaRevhi vakazvitora vakaenda nazvo kukakova keKidhironi. Vakatanga kuchenura uku musi wokutanga wemwedzi wechiposhi ndokubva pamusi wechisere wacho vasvika kukamba kaye kaTenzi, kwokumusuo, tichangobuda mumba yomukati. Vakazoita mamwe mazuva masere okuchenura imba yaTenzi, vakazopedza rava zuva regumi nechitanhatu romwedzi wechiposhi. Vakapinda maiva namambo Hezekiya vakamupira kuti, “Tanatsa imba yose yaTenzi neatari yokupirira mipiro yokupisa nemidziyo yayo yose netebhuru yechingwa chepana Mwari nemidziyo yayo yose. Midziyo yose yakanga yaraswa namambo Ahazi paakanga achiri kutonga ava munhu asisiri pakutendendeka taigadzira tikaichenura. Kutaura kuno zviri pamberi peatari yaTenzi.” Mambo Hezekiya akamuka rungwanani akaunganidza vakuru vakuru veguta akakwira kuimba yaTenzi. Vanhu vakaunza handira nomwe nehondohwe nomwe nehwayana nomwe namakotora manomwe omupiro wokupfupira zvitadzo zvoumambo nenzvimbo inoera nenyika yokwaJudha, akati vapristi, vanakomana vokwaAroni vazviite zvibayiro paatari yaTenzi. Saizvozvowo vakauraya handira dziye, vapristi vakasasa ropa radzo paatari. Vakaurayawo hondohwe dziye vakamwayawo ropa radzo kuatari vakazourayawo hwayana dziye vakasasa ropa radzo kuatari. Makotora aye omupiro wokupfupira zvitadzo akauyiwa nawo kuna mambo negungano, vakaisa maoko avo paari. Vapristi vakaauraya vakaita mupiro wokupfupira zvitadzo neropa rawo paatari kuripira Isiraeri yose nokuti mambo akanga atema kuti, mipiro yokupisa nemipiro yokupfupira zvitadzo ipirirwe Isiraeri yose. Akaisa vaRevhi mumba yaTenzi vaine makwakwakwa outare nemadimbwa nezvipendani sokutemwa kwazvakaitwa naDhavhidhi nomuoni wokwamambo nomuporofita Natani pamusana pokuti mutemo wakanga wabva kuna Tenzi uchitaurwa navaporofita. VaRevhi vakamira vaine zvokuimbisa zvokuridza zvaDhavhidhi, vapristi vaine mabhosvo. Hezekiya ndokubva ati mipiro yokupisa ichipirwa paatari. Pakatanga kuitwa mupiro wokupisa ndopakabvawo patangwa kuimbira Tenzi rwiyo mabhosvo oridzwa zvino pamwechete nezvokuimbisa zvokuridza zvaDhavhidhi mambo weIsiraeri. Gungano rose rakati pasi gwadagwa kupfugama, vaimbi mumhanzi vachiimba, uku mabhosvo achidandaura kudzamara mupiro wokupisa wapera kuti nho. Pakazoti perei mupiro, mambo nevaaiva navo vakatiwo pasi gwadagwa kupfugamira. Mambo Hezekiya namachinda vakati vaRevhi vaimbe nziyo dzokurumbidza Tenzi vachiimba namazwi aDhavhidhi neomuoni Asafu. Vakaimba dzimbo dzokurumbidza vachifara vakati pasi kota-kota vachipfugamira. Hezekiya akazoti, “Zvino zvamazviteketerera kuna Tenzi kudai, chiuyai muunze zvibayiro nemipiro yokutenda kumba yaTenzi.” Gungano iroro rakaunza zvibayiro nemipiro yokutenda nevamwewo vose vaiva nemwoyo wokupa vakaunza zvibayiro zvokupisa. Uwandi hwemipiro yokupisa yakaunzwa negungano zvaiva makumi manomwe ehandira nehondohwe zana namazana maviri ehwayana. Dzose idzodzi dzaiva dzomupiro wokupisa wokupira kuna Tenzi. Mipiro yakanga yakateketererwa kuna Mwari yaiva mazana matanhatu ehandira nezviuru zvitatu zvehwai. Asi vapristi vaiva vashomanini zvokuti havana kugona kuvhiya mipiro yokupisa yose. Naizvozvo kusvikira vamwe vapristi vazozvichenurawo, ivo vainge vachitobatsirwa nehama dzavo dzokwaRevhi kusvikira basa iroro rapera pari pamusana pokuti vaRevhi ndovakanga vane mwoyo uri pachokwadi kupinda vapristi panyaya yokuzvichenura. Tisingaverengere zvedu mipiro yokupisa yakawanda kwazvo paiva namafuta emipiro yokuwadzana paivawo nezvomupiro wokuteura nezvomupiro wokupisa. Ndokugadzirisa kwakaitwa kunamata pamba yaTenzi. Hezekiya navanhu vose vakafara kwazvo nezvakanga zvaitirwa vanhu naMwari nokuti izvozvo zvakanga zvaitika nenguva isipi. Hezekiya akatumira shoko kwaIsiraeri kwose nokwaJudha akanyorerawo matsamba kwaEfuremu nokwaManase kuti vanhu vauye kumba yaTenzi kuJerusaremu kuzochengta Pasika yokupemberera Tenzi, Mwari weIsiraeri. Chakanga chaitika ndechokuti, mambo namachinda ake negungano rose romuJerusaremu, vakanga varangana kuchengeta Pasika mumwedzi wechipiri pamusana pokuti havaikwanisa kuichengeta panguva yayo nechikonzero chokuti uwandi hwavapristi vaifanira kuzvichenura hwakanga husati hwakwana uyewo vanhu vakanga vasina kuungana kuJerusaremu. Mambo negungano rose iroro vakaonawo zano irori riri zano rakanaka. Nokudaro vakasunga chisungo chokuti shoko riende muIsiraeri yose kubvira kuBheerishebha kusvikira kwaDhani rokuti vanhu vose vanofanira kuuya kuzochengeta Pasika yokupemberera Tenzi Mwari weIsiraeri kuJerusaremu sezvo vakanga vasina kuichengeta nouwandi hwakanga hwatemwa. Sokutema kwakanga kwaita mambo, vanhu vokumhanya vakaenda kwaIsiraeri kwose nokwaJudha namatsamba aibva kuna mambo namachinda achiti, “Vanhu veIsiraeri dzokerai kuna Tenzi, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waIsiraeri kuti iyewo acheukezve katsama kenyu kavanhu vakasara vakapunyuka mumaoko amadzimambo eAsiria. Musaite samadzibaba enyu nehama dzenyu vakarega kutendeka kunaTenzi, Mwari wamadzibaba avo zvokuti akazovaita sechinhu chokuti ukaona chinokudederesa nokutya. Zvino chiregai kuomesa musoro sezvakanga zvakaita madzibaba enyu asi zviisei pasi paTenzi muuye kunzvimbo yake inoera yaakaeresa nokusingapere munamate Tenzi, Mwari wenyu kuti achirega kukuvirukirai nehasha. Chinondidariso ndechokuti kana imi mukadzokera kuna Tenzi, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navakavatapa vakadzokera kunyika ino nokuti Tenzi, Mwari wenyu ane mwoyochena netsiye nyoro uye haazokufuratirai kana imi madzokerawo kwaari.” Saka vokumhanya neshoko vaya vakabvongodza maguta nyika yose yokwaEfuremu naManase kusvikira kwaZebhuruni asi ivo vakatovapfida kuseka vakavazvidza nokuvasveeredza. Vanhu vashomanini vokwaAsheru nevokwaManase nevokwaZebhuruni vakazvidukupisa vakauya kuJerusaremu. Simba raMwari rakavawo nevokwaJudha rikavapa mwoyo mumwechete vakaita zvakarehwa namambo namachinda ake sokutaura kwaTenzi. Vanhu vazhinji vakaungana muJerusaremu kuzochengeta Mazuva Makuru eChingwa Chisina Mbiriso, mumwedzi wechipiri. Gungano racho raiva gungano guru kwazvo. Vakatangisa basa, vakabvisa atari dzaiva muJerusaremu neatari dzokupisira rusenzi vakandodzikanda mukakova keKidhironi. Vakauraya hwayana yePasika pazuva regumi nechina remwedzi wechipiri. Vapristi nevaRevhi vakanyara nazvo zvikazoita kuti vazvichenurewo vakatozouyawo nemipiro yokupisa mumba yaTenzi. Vakandomira panzvimbo dzavo dzavanofanira kumira maererano nomurawo waMosesi, munhu waMwari. Vapristi vakasasa ropa ravakatambidzwa nevaRevhi nokuti kwakanga kuine vazhinji mukati megungano, vakanga vasina kuzvichenura. Ipapo vaRevhi ndivo vakatenge votourayira hwayana yePasika vose vakanga vasina kuzvichenura kuti iereserwe Tenzi. Zvakadaro zvazvo vanhu vakawanda, vazhinji vavo vari vokwaEfuremu nokwaManase nokwaIsakari nokwaZeburuni havana kunge vazvichenura, asi havana kudya Pasika samanyorerwo azvakanga zvakaitwa. Bva Hezekiya akavanamatira achiti, “Tenzi makanaka regereraiwo munhu wose aita mwoyo wokutsvaka Tenzi Mwari, Mwari wemadzibaba ake kunyange zvazvo asina kutevedza murao yokuchenurwa yomunzvimbo inoera.” Tenzi akanzwa Hezekiya akabva aporesa vanhu ivavo. Vanhu veIsiraeri vakanga vari muJerusaremu vakachengeta Mazuva Makuru eChingwa Chisina Mbiriso kwemazuva manomwe vachifara kwazvo. Izvozvo vaRevhi navapristi vainorumbidza Tenzi zuva nezuva vachiimbira Tenzi vaine zvokuridzira Tenzi nazvo mumhanzi zvine simba. Hezekiya akataurawo zvakafadza mumwoyo vaRevhi vose vainge vari vanhu vainyatsonzwisisa zvokwaTenzi. Vanhu vakadya chokudya cheMazuva Makuru iwayo kwemazuva manomwe vachipira zvibayiro zvokuwadzana vachitenda Tenzi, Mwari wemadzibaba avo. Gungano rose rakazowirirana kuchengeta mamwe mazuva manomwe seMazuva Makuru nokudaro vakaita mamwe mazuva manomwe vachichengeta Mazuva Makuru iwayo. Chakavadariso ndechokuti Hezekiya mambo wokwaJudha akapa gungano iroro ravanhu chiuru chehandira nezviuru zvinomwe zvehwai dzokupira. Machindawo akapawo kugungano chiuru chehandira nehwai gumi rezviuru. Vapristi vakazozvichenura vakawanda kwazvo. Gungano rose rokwaJudha rakapembera kufara pamwechete navapristi nevaRevhi negungano rose raibvawo kwaIsiraeri nevaigara kwaJudha navatorwa vose vaibva kwaIsiraeri, navatorwa vaibva kwaJudha vakafara kwazvo. Saizvozvo kwakafarwa zvikuru kwazvo muJerusaremu zvokuti kubvira panguva yaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsiraeri hazvina kumboitika muJerusaremu. Vapristi nevaRevhi vakasimuka vakakomborera vanhu, chichemo chavo chakanzwikwa, munamato wavo ukasvika kumuzinda unoera wokudenga. Kuzoti zvose izvozvi zvapera vaIsiraeri vose vaivepo vakaenda kumaguta ose okwaJudha vakapwanya mabwe ose aiva akamisirwa kunamata, vakatemera pasi zvifananidzo zvokunamata zviAshera. Vakapaza nzvimbo dzokatunhumara dzokuteurira neatari dzacho maJudha mose nokwaBhenjamini nokwaEfuremu nokwaManase kusvikira vazviparadza zvose. Vanhu vose veIsiraeri vakadzokera kumaguta avo munhu wose achienda kumusha kwake. Hezekiya akaronga vapristi nevaRevhi muzvikwata maerano nebasa romunhu woga woga, vapristi navaRevhi vemipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana kwouya vokushanda pamisuo mikuru yepamana paTenzi kwozouya vokutenda nokumurumbidza. Zvakanga zvabviswa namambo zviya zvaakatora pazvinhu zvake zvaiva zvemipiro yokupisa iri mipiro yokupisa yamangwanani neyamanheru nemipiro yokupisa yepamaSabata neyoKugara kweMwedzi neyemamwewo mazuva makuru akatemwa sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waTenzi. Hezekiya akatemera vanhu vaigara muJerusaremu chirevo chokuti vabvise mugove unofanira kupiwa vapristi navaRevhi kuitira kuti ivo vagone kuisa mwoyo pamutemo waTenzi. Pakangopararira chirevo ichocho vanhu veIsiraeri vakapa zvinhu zvakawanda kwazvo zvembesanwa dzokutanga newaini namafuta eorivhi nouchi nezvimwe zvose zvomuminda. Vakauya nezvinhu zvakawanda kwazvo zvechegumi chezvinhu zvose. Vanhu vokwaIsiraeri nevokwaJudha vaigara mumaguta okwaJudha vakauyawo nezvegumi zvemombe nehwai nezvimwe zvakateketerwa kuna Mwari zvakanga zvaturirwa kuna Tenzi, Mwari wavo, vakazviunganidza kuita mirwi. Mumwedzi wechitatu ndomavakatanga kuzviunganidza kuita mirwi vakabva vazopedza mumwedzi wechinomwe. Hezekiya nemachinda aye pavakauya vakaona mirwi iyoyi vakarumbidza Tenzi vakakomborerawo vanhu vake veIsiraeri. Hezekiya akabvunza vapristi nevaRevhi nezvemirwi iyoyo. Azariya mupristi mukuru vaiva vemba yokwaZadhoki vakamupindura vachiti, “Kubvira pakatanga vanhu kuunza zvipo zvavo kumba yaTenzi, takadya tikaguta tikatosiya zvimwe zvakawanda nokuti Tenzi akakomborera vanhu vake zvokuti tine dura iri guru rezvakasara.” Hezekiya ndokuvaudza kuti vagadzire dzimba mumba yaTenzi. Ivo ndokubva vadzigadzira. Vanhu vaiunza zvavaibvisa izvi vari pachokwadi pamwechete nezvegumi nezvimwe zvakateketererwa kuna Mwari. Mukuru mukuru wavo vose aiva Konaniya muRevhi, achitevedzerwa naShimei mukoma nomunun'una naye. Izvozvo Jehieri naAzaziya naNahati naAsaheri naJerimoti naJozabhadhi naErieri naIsimakiya naMahati naBhenaya ndovaiva vatariri vachibatsira Konaniya naShimei mukoma nomunun'una naye uya, vakanga vatoita zvokusarudzwa namambo Hezekiya naAzariya mukuru mukuru wapamba paTenzi. Kore mwanakomana waImuna muRevhi uya wokuchengetedza kusuo guru rokuMabvazuva ndiye akapiwa basa rokutarira mipiro iya yokupa kuna Tenzi nechido nokugovera zvinenge zvapirwa kuna Tenzi nemipiro inoeresesa. Edheni naMiniyamini naJeshua naShemaya, naAmariya naShekaniya vaivawo vanhu vari pachokwadi naTenzi vachimubatsira mumaguta avapristi kugova migove kuhama dzavo, kumukuru nomudiki zvimwechetezvo, chikwata nechikwata, tisingaverengi zvedu vaya vakanyorwa mazita chizvarwa nechizvarwa vechirume, kubvira pamakore matatu okuberekwa zvichikwira, vose vari vokupinda mumba yaTenzi maererano nebasa rainge richidiwa zuva iroro pabasa ravo zvichienderanawo nebasa ravo chikwata nechikwata. Manyorerwo aiitwa vapristi mazita, aiva okutevedza dzimba dzamadzibaba avo. VaRevhi kubvira pamakumi maviri amakore zvichikwira, vainyorwa maererano namabasa avo muzvikwata zvavo. Vapristi vainyorwa pamwechete navana vavo vaduku namadzimai avo navana vavo vakomana navasikana gungano rose pamusana pokuti vaifanira kuva vanhu vari pachokwaki vanogara vakazvichenura kuitira zvinhu zvinoera. Kune vanakomana vokwaAroni, vapristi vaigara kumafuro amaguta avo kwaiva navarume vakadomwa namazita vakapiwa basa mumaguta akasiyana-siyana rokugova mugove kune wose wechirume mukati mavapristi nokune munhu wose mukati mavaRevhi vose vainge vanyorwa. Hezekiya akaita saizvozvi maJudha mose. Pana Tenzi, Mwari wake akaita zvakanaka zvakarurama nezviri pachokwadi. Basa rose raaiitira imba yaMwari maererano nomutemo nemirao achitsvaka Mwari wake, aiita nomwoyo wose zvichibva zvabudirira. Mushure mezviito zvakatendeka kudai Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa Judha akakomba maguta etsvingo aine pfungwa yokuakurira kuti aaite ake. Pakaona Hezekiya kuti Senakeribhu akanga auya achida kuzorwisa Jerusaremu, akarangana namakurukota ake navarume vokwake, magamba okurwa hondo kuti vamise mvura yezvisipiti zvaiva kunze kweguta vakamubatsira. Vanhu vazhinji kwazvo vakaungana vakamisa zvisipiti zvose nekakova kaiyerera nomunyika umu vachiti, “Iwo madzimambo eAsiria angasvikowanirei paine mvura yakawanda kudai?” Hezekiya akatsunga mwoyo akavakiridza rusvingo rwose rwakanga rwapazika pamusoro pedzinharire akapasimudza. Kunze kwarwo akavaka rumwe rusvingo akabva asimbisa Chimudhuri cheMavhu chiya chomuguta raDhavhidhi. Akagadzirawo zvombo zvehondo nenhoo zvakawanda kwazvo. Akasarudza vakuru vakuru vokuhondo akavakokorodzera kwaari panhandare yepasuo guru reguta iri akataura navo zvakavafadza mumwoyo achiti, “Shingai mutsunge mwoyo! Musambotya zvenyu kana kuzeza mambo weAziriya kana gurusvusvu ravanhu raauya naro. Watinaye mukuru pane wavanaye. Simba raanaro isimba ravanhu asi watinaye isu ndiTenzi, Mwari wedu wokutibatsira nokutirwira hondo dzedu.” Vanhu vakasimbaradzwa mwoyo nemazwi aHezekiya mambo wokwaJudha. Mushure mezvizvi, Senakeribhu mambo weAsiria ainge akakomba guta reRakishi nehondo yake yose, akatumira makurukota ake kuna Hezekiya mambo wokwaJudha nokuvanhu vose vokwaJudha vaiva muJerusaremu achiti, “Senakeribhu mambo weAsiria ati, ‘Unoinzwa neiko chaicho chaungamire nacho pakukombwa kweJerusaremu uku?’ Hakusi kufurirwa zvenyu here naHezekiya kwamuri kuitwa uku kuti akuurayisei zvenyu nenzara nenyota achikutii, ‘Tenzi, Mwari wedu achatinunura mumaoko amambo weAsiria?’ Haasiye here Hezekiya mumwecheteyo akabvisa nzvimbo dzake dzakatunhumara dzokuteurira akatemera Judha neJerusaremu chirevo chokuti, ‘Pamberi peatari imwechete iyoyi iyi ndopamava kufanira kuzopfugamira nokupisira zvibayiro zvenyu pairi iyoyi iyi?’ Hamuzive here zvakaitwa neni nemadzibaba angu kumarudzi ose edzimwe nyika? Vamwari vamarudzi acho enyika idzodzo vakanga vachimbokwanisa here kununura nyika dzavo mumaoko angu? Pana vamwari vemarudzi iwayo akanyatsoparadzwa nemadzibaba angu, ndoupi akakwanisa kununura vanhu vake mumaoko mangu zvokuti Mwari wenyu angazokwanisawo kutokununurai mumaoko angu? Saka zvino regai kunyengedzwa kana kufurirwa naHezekiya kudai. Regai kuvimba naye nokuti hakuna mwari worumwe rudzi rwevanhu kana weimwe nyika ipi zvayo akagona kununura vanhu vake mumaoko angu kana mumaoko emadzibaba angu. Ndoda, kutozoti iye Mwari wenyu pakepowo, ndiye angazokununurai iyeyo mumaoko angu?” Makurukota ake akatopfuura ipapo kutafurira Tenzi Mwari nomuranda wake Hezekiya. Iye akatonyora tsamba dzokushora Tenzi, Mwari weIsiraeri achimutafurira achiti, “Sezvakangoitawo vamwari vevanhu vedzimwe nyika vasina kugona kununura vanhu vavo mumaoko mangu ndozvimwechetezvo naMwari waHezekiya haagone kununura vanhu vake mumaoko mangu.” Vakazhamba nomutauro wechiJudha kuvanhu vomuJerusaremu vakanga vari parusvingo kuvatyisidzira nokuvapinza mweya wokutya kuitira kuti vatore guta iroro variite ravo. Vakataura nezvaMwari weJerusaremu samatauriro avaingaitewo zvavo nezvevamwari vamarudzi evanhu vepasi pano vokugadzirwa zvavo namaoko avanhu. Mambo Hezekiya nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakanamata naizvozvi vachitsvitsa chichemo ichocho kumatenga. Tenzi akatuma mutumwa akauraya magamba okurwa hondo navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vokuhondo vose kumatendhe amambo weAsiria. Naizvozvo akadzokera kunyika kwake adonha uso nokunyara. Paakapinda mumba yamwari wake vana vake chaivo vokubereka vakabva vamuuraira imomo nebakatwa. Tenzi akanunura Hezekiya navagari vomuJerusaremu mumaoko aSenakeribhu mambo weAsiria uye mumaoko evavengi vake vose akavapa vamwe kumativi ose. Vazhinji vakaunza zvipo kuna Tenzi kuJerusaremu nezvinhu zvinokosha kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvokuti akaremekedzwa pane marudzi ose mushure maizvozvo. Namazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuda kufa. Akanamata kuna muTenzi. Iye akamupindura nechiratidzo. Asi Hezekiya haana kutirimuka kutendawo zvakanaka zvaakanga aitirwa nokuti akanga ava nemwoyo wokuzvikudza. Naizvozvo Mwari akamushatirirwa iye nenyika yokwaJudha neJerusaremu. Asi Hezekiya, pakuzvikudza kwake kuye akazozvidukupisa pamwechete navagari vomuJerusaremu zvokuti Tenzi haanawo kuzovavirukira nehasha pamazuva oupenyu hwaHezekiya. Hezekiya aiva noupfumi hwakawanda kwazvo achiremekedzwa zvikuru kwazvo. Akazvigadzirira dzimba dzokuchengetera upfumi hwesirivha nendarama nematombo akakosha nemetunonhuwirira nemenhoo nememhando nemhando dzemidziyo yakakosha namaturawo embesanwa dzinenge dzabva muminda nemokuchengetera waini namafuta eorivhi namatanga okuchengetera zvipfuwo zvemhando nemhando dzakasiyana nezvirugu zvehwai. Akazvigadzirirawo maguta akava nezvipfuwo nemombe dzakawanda kwazvo nokuti Mwari akanga amupa upfumi hwakawanda. Hezekiya wakareyu ndiyezve akadzivirira mvura yokuGihoni paye payaibuda napo nechokumusoro, akaiendisa kumadokero kweGuta raDhavhidhi. Hezekiya akabudirira kwazvo pamabasa ake ose. Panyaya yenhumwa dzamakurukota okuBhabhironi vaiva vatumwa kwaari kuzonzwa nezvechiratidzo chakanga chaitika munyika imomo, Mwari akambomusiya kuti azvionere achimuedza kuti aone chaizvoizvo kuti munhu ane mwoyo wakadii. Inga dzimwe nyaya dzezvaHezekiya nezviito zvake zvakanaka zvakanyorwa wani mune zvakazarurirwa muporofita Isaya mwanakomana waAmozi zviri muBhuku reMadzimambo okwaJudha neokwaIsiraeri. Hezekiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake. Vakamuviga pamukwidza pane makuva evanakomana vokwaDhavhidhi. Parufu rwake, vokwaJudha vose navagari vomuJerusaremu vakamuviga zvine chiremera. Mwanakomana wake Manase ndiye akazotonga panzvimbo yake. Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu ane mashanu ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera tsika dzinosemesa kwazvo dzaiitwa namarudzi akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi nokuti akavakazve nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziye dzakanga dzamboparadzwa nababa wake Hezekiya. Iye akavakirawo vanaBhaari atari akagadzirawo zvifananidzo zvokunamata zviAshera. Akapfugamira gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga achizvinamata. Akavakawo dziatari mumba yaTenzi yakanga yanzi naTenzi, “PaJerusaremu ndipo pachava nezita rangu nokusingaperi.” Akavakira atari gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi. Akapisa vana vake vakomana sezvibayiro mubani remwanakomana wokwaHinomu. Manase akanga apindawo mune zvokufembera nemaminimini nezvoun'anga hwokududzira mashura nokuromba mishonga kumasvikiro nokun'anga. Akaita zvakaipa zvakanyanya kwazvo zvisingadiwe naTenzi akamuvirutsa nehasha. Chifananidzo chokunamata chaakagadzira chiya akachimisa mumba yaMwari iya yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Pamba iyi neJerusaremu pandakasarudza mumadzinza ose eIsiraeri ndipo pandichaisa zita rangu narini wose uyewo kuti handizoita kuti tsoka yomuIsiraeri ibude kunze vadzungairezve vari kunze, kwenyika yandakasarudzira madzibaba avo. Ndokunge chete vachenjerera kuita zvose zvandakati vaite uye nezvose zviri pamutemo nemirao nezvirevo zvavakapiwa nokuna Mosesi.” Manase akafurira vokwaJudha pamwechete nevagari vomuJerusaremu zvokuti vakaita zvakaipa zvaitopfuura zvakaitwa namarudzi aye akaparadzwa naTenzi achiadzingira vanhu veIsiraeri. Tenzi akataura kuna Manase nokuvanhu, asi havana kuzviteerera. Naizvozvo Tenzi akavaunzira vatungamiriri vehondo vokwamambo weAsiria. Vakasvikobata Manase nezvikochekero vakamusunga nengetani dzendarira vakaenda naye kuBhabhironi. Ari munhamo yake iyoyi akateterera kuna Tenzi, Mwari wake kuti amucheukewo. Akazvidukupisa kwazvo pana Tenzi, Mwari wemadzibaba ake. Akanamata kwaari, Mwari akagamuchira chichemo chake akanzwa chikumbiro chake akabva amudzosera kuJerusaremu paumambo hwake. Ndopakazoziva Manase kuti Tenzi ndiye Mwari. Mushure macho akavakira Guta raDhavhidhi rumwe rusvingo nechokunze kumadokero kweGihoni mubani, uye rwekumusuo wokupinda kusuo guru reHove. Akapoterera narwo nokuOfero. Akarurebesa kwazvo kuenda mudenga. Akaisa vatungamiriri vehondo mumaguta ose etsvingo okwaJudha. Akabvisa mumba maTenzi, vamwari vasirivo nechifananidzo chokunamata chiya neAtari dzose dzaakambenge avaka pagomo reimba yaTenzi nomuJerusaremu. Akazvirasira kunze kweguta. Akagadziridzawo atari yaTenzi akapirirapo zvibayiro zvomipiro yokuwadzana neyokutenda. Akatemera vokwaJudha kuti vanamate Tenzi, Mwari waIsiraeri. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachipira zvibayiro panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziya asi vachipira kuna Tenzi, Mwari wavo chete. Inga dzimwe nyaya dzezvaManase nomunamato wake waakaita kuna Mwari wake nemazwi avaoni vakataura kwaari muzita raTenzi, Mwari weIsiraeri dzirimo muNhoroondo dzaMadzimambo eIsiraeri. Kwouyawo munamato wake nokugamuchirwa kwakaitwa chichemo chake naMwari, nechitadzo chaakapara, nokusava munhu ari pachokwadi kwaakaita nemaakavakira nzvimbo dzokuteurira dzokunamatira akamisa zvifananidzo zviAshera nezvimwewo zvifananidzo zvokunamata asati azvidukupisa, zvakanyorwa wani muNhoroondo dzavaoni. Saizvozvo Manase akavata oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake vakamuviga mumba make. Mwanakomana wake Amoni ndiye akazotonga panzvimbo pake. Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore maviri ari muJerusareumu. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi sezvakaitwa nababa wake Manase. Amoni akapira zvibayiro kuzvifananidzo zvose zvokunamata zvakanga zvagadzirwa naManase baba vake akazvinamata. Haana kuzvidukupisa pana Tenzi sezvakaita Manase baba vake akazvidukupisa. Amoni iyeyu akaramba achingopara dzimwe mhosva. Makurukota ake akaita bangano rokumupandukira vakamuuraya mumba make. Vanhuwo venyika iyoyo vakauraya vose vakanga vapandukira mambo Amoni wacho. Vanhu vomunyika imomo vakagadza Josiya mwanakomana wake umambo panzvimbo pake. Josiya akanga ava namakore masere paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi matatu ane gore rimwechete ari muJerusaremu. Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi akatevedza makwara atateguru wake Dhavhidhi. Haana kutsaukira uku kana uku. Zvaakatoita ndezvokuti mugore rake rechisere rokutonga, izvozvo akanga achiri mukomana, akatanga kutsvaka Mwari watateguru wake Dhavhidhi. Mugore regumi nechipiri racho akavamba kuchenura nyika yokwaJudha neJerusaremu achibvisa nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nezvifananidzo zvokunamata, zviAshera nezvifananidzo zvokunamata zvokuumba noutare nezvokuveza. Vakapunza atari dzavanaBhaari iye aripo, akatemera pasi atari dzorusenzi dzaiva pamusoro padzo. Akapwanya-pwanya zvifananidzo zvokunamata, zviAshera nezvifananidzo zvokuumba noutare nezvokuveza. Akazvikuya-kuya akazvimwaya pamakuva evakanga vachipira zvibayiro kwazviri. Akapisawo mapfupa avapristi vacho paatari dzazvo akachenura nazvo Judha neJerusaremu, nokumaguta okwaManase nokwaEfuremu nokwaSimeoni kusvikira kwaNafutari kumatongo kwavo nharaunda yose. Akapunza atari dzacho akapwanya-pwanya zvifananidzo zvokunamata zviAshera nezvimwe zvifananidzo zvokunamata achizvikuya-kuya, akatemera pasi atari dzorusenzi munyika yose yokwaIsiraeri, ndokubva adzokera kuJerusaremu. Kuzoti mava zvino mugore regumi nechisere rokutonga kwaJosiya, mushure mokunge achenura nyika nemba yaMwari, akatuma Shafani mwanakomana waAzariya naMaaseya mutongi weguta iroro nomunyori Joa mwanakomana waJehoahazi kundogadzira imba yaTenzi, Mwari wake. Vakaenda kumupristi mukuru, Hirikiya vakandoturira mari yakanga yaunzwa mumba yaMwari yakanga yaunganidzwa navaRevhi vachengetedzi vokumusuo vaye ichibva kwaManase nokwaEfuremu uye nokune chitsama chevokwaIsiraeri vakanga vasara neyaibvawo kwaJudha kwose nokwaBhenjamini nomuvagari veJerusaremu. Vakaipa kuvashandi vaiona nezvebasa remba yaTenzi. Vashandi ava vaiona nezvebasa remba yaTenzi vakaishandisa kugadzira imba iyoyi vachiita kuti ive sezvayaiva. Vakaipa kuvavezi nokuvavaki kuti vatenge nayo matombo akakwakwanurwa namapango edenga emharuparu neokuwarika edzimba dzakaregererwa namadzimambo okwaJudha dzichiparara zvadzo. Varume ivavo vakaita basa ravo nomwoyo wose. Vaitungamirirwa naJahati naObhadhiya, vaRevhi, vanakomana vokwaMerari, uye naZekariya naMeshuramu vanakomanawo vokwaKohati varivo vokuvatarira. VaRevhi, vose vakanga vari nyanzvi chaidzo dzokuridza zvokuimbisa mumhanzi ndivo vaitarisa vokutakura zvinhu vachitungamira vanhu mumabasa ose akasiyana-siyana. Vamwe vaRevhi vaiva vanyori, vamwe vari vakuru vakuru, vamwewo vari vachengetedzi vepamisuo mikuru. Pavakanga vachiburitsa mari yakanga yaunzwa mumba yaTenzi, mupristi Hirikiya akawana bhuku romutemo waTenzi wakapiwa nokuna Mosesi. Hirikiya akati kuna samunyori Shafani, “Ndawana bhuku romutemo mumba yaTenzi!” Hirikiya akapa bhuku iroro kuna Shafani. Shafani akaenda nebhuku racho kuna mambo akataura achiti, “Zvamakati zviitwe navaranda venyu zvaitwa. Vakadurura mari yaiva mumba yaTenzi vakaiisa mumaoko avanhu vanoona nezvebasa nomumaoko evashandi.” Munyori mukuru Shafani akataurira mambo achiti, “Vamupristi Hirikiya andipa bhuku.” Shafani akariverenga pana mambo. Mambo paakanzwa zvakanga zvakanyorwa mumutemo akabvarura hanzu dzake neshungu. Mambo akaudza Hirikiya naAhikamu mwanakomana waShafani naAbhudhoni mwanakomana waMika nasamunyori Shafani naAsaya gurukota ramambo kuti, “Endai mundondibvunzirawo kuna Tenzi ini navanhu navakasara maIsiraeri nemaJudha vose nezvakanyorwa mubhuku iri rakawanikwa, nokuti kutivirukira nehasha kwakaita Tenzi kukuru kwazvo, pari pamusana pokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raTenzi kuti vaite maererano nezvose zvakanyorwa mubhuku irori.” Naizvozvo Hirikiya navakanga vatumwa namambo vakaenda kumuporofita Huridha, mudzimai waSharumu mwanakomana waTokihati mwanakomana waHasira, muchengeti wezvipfeko (akanga ava kugara kurutivi rutsva rweguta reJerusaremu), vakataura naye izvozvo. Akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, udza munhu akutumirai kwandiri kuti, zvanzi naTenzi, ‘Chinzwai, ndichaunza nyatwa panzvimbo ino napavanhu vayo, majambwa ose akanyorwa mubhuku rakaverengerwa mambo wokwaJudha. Pamusana pokuti vakandifuratira vakapisira vamwe vamwari rusenzi, vachida kundishatirisa nezvose zvavakaita namaoko avo. Naizvozvo ndichavirukira nzvimbo ino nehasha dzangu dzisingazopodzwi. Asi panyaya yamambo wokwaJudha akutumai kuzobvunza kuna Tenzi, muti kwaari zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri pane zvawanzwa izvo, pamusana pokuti wakapfidza mumwoyo mako ukazvirerekawo pana Mwari, pawakanzwa shoko raakataura rakanangana nenzvimbo ino nokuvagari vayo, ukabva wazvirereka kwandiri, ukabvarura hanzu dzako neshungu ukachema pandiri, Tenzi anotiwo, chichemo chako ndakachinzwa. Chinzwa unzwe, ndichakuendesa kwakaenda vamwe kumadzitateguru ako, uchapinda muguva mako norugare, uye zvakaipa zvandichaita kunzvimbo ino nevagari vemo iwe namaziso ako hauchazozvioni.’ ” Vakandosvitsa shoko iroro kuna mambo. Mambo akatuma shoko, vakuru vakuru vose vokwaJudha neveJerusaremu vakaungana kwaari. Mambo akakwira kumba yaTenzi navanhu vose vokwaJudha, navagari vose veJerusaremu navapristi navaRevhi navanhu vose vaduku navakuru. Akavaverengera vachinzwa mashoko aiva mubhuku rechitenderano rakanga rawanikwa muimba yaTenzi. Mambo akamira panzvimbo pake akaitazve chitenderano naTenzi chokumutevera nokuchengeta mitemo yake, nezvirevo zvake nemirao yake nemwoyo wake wose nemweya wake wose kuchengeta zvisungo zvechitenderano ichochi zvakanga zvakanyorwa mubhuku irori. Akaita kuti vose vaiva muJerusaremu nokwaBhenjamini vazvisungewo nacho. Vagari vomuJerusaremu vakachengeta nomo chitenderano chaMwari, Mwari wamadzibaba avo. Josiya akabvisa mumatunhu ose avanhu veIsiraeri zvose zvisingadiwi naMwari akaita kuti vose vaiva muIsiraeri vanamate Tenzi, Mwari wavo. Mumazuvawo ose oupenyu hwake, havana kutsauka pakutevera Tenzi, Mwari wamadzibaba avo. Josiya akachengeta Pasika yaTenzi muJerusaremu. Vakauraya hwayana yePasika pazuva regumi nechina romwedzi wechiposhi. Akaronga vapristi mumabasa avo akavakurudzira mumabasa iwayo omumba yaTenzi. Akati kuvaRevhi vaidzidzisa Isiraeri yose vakateketererwa kuna Tenzi vaye, “Isai bhokisi rechitenderano rinoera mumba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsiraeri. Inga zvokunge mucharitakura pamapfudzi enyu hapasisina wani. Zvino mochishandirawoka Tenzi, Mwari wenyu nevanhu vake vaIsiraeri machironganawo maererano nedzimba dzamadzibaba enyu muzvikwata zvenyu sokunyorwa kwazvakaitwa naDhavhidhi mambo weIsiraeri uye sokunyorwa kwazvakaitwa naSoromoni mwanakomana wake. Munofanira kuzomira munzvimbo inoera makamiririra dzimhuri dzakasiyana-siyana dzavanhu, hama dzenyu. Chikwata choga choga chenyu vaRevhi chakamiririra mhuri yacho. Munozofanira kuuraya hwayana yePasika, iyemiwo pachenyu muzvichenurewo mugadzirirewo hama dzenyu kuti muchengete shoko rakarehwa naTenzi nokuna Mosesi.” Josiya akabvisira vanhu zvipo zvePasika kuitira vanhu vose vaivapo, zviri zvehwayana nembudzana dzaakabvisa muzvipfuwo zvake dzaisvika makumi matatu ezviuru pamwechete nezviuru zvitatu zvehandira. Zvose izvozvi zvakabva muupfumi hwamambo. Machinda ake akabvisirawo vanhu navapristi nevaRevhi nomwoyo unoda. Hirikiya naZakariya naJehieri vatungamiriri vakuru vakuru vomumba yaTenzi vakapawo kuvapristi zvemipiro yePasika hwayana nembudzana zviuru zviviri zvine mazana matanhatu nehandira mazana matatu. Uyewo Konaniya naShemaya naNetaneri vakoma navanun'una naye, kwouya Hashabhiya naJeieri naJozabhadhi vari vakuru vakuru vevaRevhi, vakapawo kuvaRevhi zviuru zvishanu zvehwayana nembudzana pamwechete namazana mashanu ehandira. Urongwa uhu pahwakanga hwapera, vapristi vakandomira panzvimbo dzavo, vaRevhiwo muzvikwata zvavo maererano nechirevo chamambo. Vakauraya hwayana yePasika, vapristi vakasasa ropa ravakagamuchira kwavari. Izvozvo vaRevhi ndovainge vachivhiya dzainge dzaurayiwa. Mipiro yokupisa vakaiisa payo yoga kuti vagozoigoveranisa mudzimhuri dzakasiyana-siyana dzemadzibaba evanhu ivava kuti vapire kuna Tenzi sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku raMosesi. Ndozvavakaita nehandira idzodzo. Vakagocha pamoto hwayana yePasika sezviri mumurao. Vakabika mipiro inoera mumapoto nomumazibhodho nomudzipani, vakadzitakurira kuvanhu vose nokukurumidza. Mushure macho vakazozvibikirawo ivo pachavo nezvevapristi nokuti vapristi vanakomana vokwaAroni vakanga vakabatikana kudzamara usiku nebasa rokupira mipiro yokupisa nokupisa nhindi dzamafuta. Ndokusaka vaRevhi vakazvibikira ivo pachavo nezvevapristi vanakomana vokwaAroni. Vaimbi vanakomana vokwaAsafu vakanga vari panzvimbo pavo sokutaura kwakanga kwaitwa naDhavhidhi naAsafu naHemani naJedhutuni muoni wokwamambo. Vachengetedzi vepamisuo mikuru vakanga vari pasuo guru roga roga. Chavaibvira pamabasa avo pakanga pasina, nokuti vaRevhi hama dzavo ndidzo dzakavagadzirira. Saizvozvo musi iwoyo basa rose raTenzi rokuchengeta Pasika nerokupira mupiro wokupisa paAtari yaTenzi rakagadzirirwa maererano nechirevo chamambo Josiya. Vanhu veIsiraeri vaivepo vakachengeta Pasika panguva iyoyo pamwechete namazuva makuru manomwe echigwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. Hakuna kumboita imwe Pasika yakaita saiyoyo muIsiraeri kubvira mazuva omuprofita Samueri. Hakuna mumwe mambo akamboita Pasika seyakaitwa naJosiya pamwechete navapristi, nevaRevhi nevokwaJudha nevokwaIsiraeri vaivapo navagari veJerusaremu. Mugore regumi nechisere rokutonga kwaJosiya ndopakaitwa Pasika iyoyi. Mushure mezvose izvozvi, Josiya apedza kugadzira Temberi, Neko mambo weIjipiti akakwidza kundorwisa Karikemishi kuna Yufuratesi, Josiya ndokubva amubudira. Asi iye akamutumira nhume achiti, “Nhai mambo wokwaJudha! Chatatadziranawo chaicho ipapa chii? Handina kuuya kuzokurwisa nhasi uno, asi ndavinga imwewo imba yandiri kurwisana nayo. Mwari atonditi ndiite zvechimbichimbi. Regai kupikisana naMwari aneni, angadaro akakuparadza.” Zvakadaro zvazvo Josiya akaramba kudzokera achimusiya, akatozvivanziridza kuti arege kuzikanwa kuitira kuti andomurwisa. Haana kumboteerera zvakarehwa naNeko zvichibva mumuromo waMwari asi akatopindawo muhondo mubani reMegidho. Vokukanda miseve vakapfura mambo Josiya ndokubva iye mambo ati kumachinda ake, “Ndibvisei pano. Ndakuvadzwa zvakanyanya.” Nokudaro machinda ake akamubvisa mungoro yehondo iyoyi, vakamutakura nengoro yake yehondo yechipiri. Vakaenda naye kuJerusaremu. Akafa akavigwa mumakuva emadzibaba ake, Judha yose neJerusaremu yakachema Josiya. Jeremiya akaitirawo Josiya nhetembo yokumuchema navamwe vaimbi vose vechirume navekadzi vanotaura nezvaJosiya munhetembo dzavo dzokuchema kusvikira pari nhasi, ndowakabva wava muitiro muIsiraeri. Inga dzakanyorwa wani munhetembo dzokuchema. Dzimwe nyaya dzezvaJosiya nezviito zvake zvakanaka zvaienderana nezvakanyorwa mumutemo waTenzi nezvaakaita kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera zvakanyorwa zviye muBhuku reMadzimambo okwaIsiraeri nokwaJudha. Saka vanhu venyika iyoyo vakazotora Jehoahazi mwanakomana waJosiya vakamugadza umambo muJerusaremu panzvimbo yababa vake. Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri ana matatu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusaremu. Mambo weIjipiti akamubvisa paumambo muJerusaremu akateresa nyika mutero wematani matatu esirivha ane makirogiramu mazana mana nendarama yaiita makirogiramu makumi matatu ane mana. Neko mambo weIjipiti akaita Eriyakimu munun'una waJehoahazi mambo weJudha neJerusaremu akabva amusandura zita omupa rimwe rokuti Jehoyakimu, asi akatakura mukoma wake Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti. Jehoyakimu akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wake. Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya kuzomurwisa. Akamusunga nengetani akaenda naye kuBhabhironi. Nebhukadhineza akatakurawo mimwe midziyo yepamba paTenzi akaenda nayo kuBhabhironi akandoiisa mumuzinda wake muBhabhironi. Dzimwe nyaya dzezvaJehoyakimu nezvimwe zvakaipisisa kwazvo zvaakaita netumwewo twaaiita twakazobuda zvakanyorwa wani muBhuku raMadzimambo okwaIsiraeri neokwaJudha. Mwanakomana wake Jehoyakini ndiye akazotonga panzvimbo yake. Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, akatonga kwemwedzi mitatu negumi ramazuva ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Muchirimo panguva yepfumvudza mambo Nebhukadhineza akatumira shoko rokuti aunzwe kuBhabhironi pamwechete nemidziyo inokosha yomumba yaTenzi akabva aita munun'una wake Zedhekiya mambo wokwaJudha neJerusaremu. Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo, akatonga kwemakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wake. Haana kuzvininipisa pamberi pomuporofita Jeremiya, aitaura zvaibva mumuromo waTenzi. Akapandukira mambo Nebhukadhineza akanga aita kuti apike naTenzi mhiko. Akaomesa musoro akaomesa mwoyo wake pane zvokudzokera kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri. Vakuru vakuru vose pavapristi pamwechete navanhu zvakanga zvangova zvimwechetezvo zvokurega kuva pachokwadi zvatonyanyisa kwazvo votevedza zviito zvakaipisisa kwazvo zvaiitwa nevechirudzi vachin'oresa imba yaTenzi yaakanga aeresa muJerusaremu Tenzi, Mwari wamadzibaba avo akatuma-atumazve nhume dzake kwavari neshoko pamusana pokuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara. Asi vakaramba vachinyomba nhume dzaMwari vachitozvidza zvavo mashoko ake vachitafurira vaporofita vake kudzamara Tenzi amukira vanhu vake nehasha kusvikira pasisina chokuzvigadziridza nacho. Naizvozvo akavamutsira mambo wavanhu vechiKaredhea vakauraya namapakatwa majaya avo mumba yavo macho menzvimbo inoera pasina kana zvokumbonzwira tsitsi kuti majaya here kana kuti mhandara kunyange kuti murume mukuru kana kuti munhu achembera; akaisa vose mumaoko ake. Midziyo yose yomumba yaMwari mikuru nemidiki noupfumi hwomumba yaTenzi noupfumi hwamambo nehwemachinda ake akakukucha zvose izvozvi akaenda nazvo kuBhabhironi. Vakapisa imba yaTenzi vakapazira pasi rusvingo rweJerusaremu vakapisa mizinda chaiyo yose yedzimba vachiparadza midziyo yose yakakosha yaivamo. Akatapa vakanga vapunyuka mapakatwa vakabva vava varanda kwaari iye navanakomana vake kusvikira pakazomirawo umambo hwokuPezhiya. Nyika yakambofara kuwana maSabata okutombozororawo zvayo nguva yose iyoyo yamakanga munyika makati hwa musina munhu kusvikira makore makumi manomwe akwana kuzadzikisa shoko raTenzi rakataurwa nomuromo waJeremiya. Mugore rechiposhi rokutonga kwaKoreshi mambo wePezhiya, zvichizadzikisa shoko raTenzi raakataura nomuromo waJeremiya, Tenzi akapinza imwe pfungwa mumwoyo waKoreshi mambo wePezhiya zvokuti akatemera vanhu chirevo nyika dzose dzoumambo hwake; akaitawo zvokuchinyora chokuti, “Zvanzi naKoreshi mambo wePezhiya, Tenzi, Mwari Wedenga akandipa umambo hwenyika dzose dzapasi pano akandipawo basa rokuti ndimuvakire imba kuJerusaremu maJudha. Ani naani pakati penyu anenge ari wavanhu vake vose zvavo, Tenzi, Mwari wake ngaave naye akwireko.” Mugore rechiposhi rokutonga kwaSairosi mambo wePezhiya, zvichizadzikisa shoko raTenzi raakataura nomuromo waJeremiya, Tenzi akapinza imwe pfungwa mumwoyo wamambo wePezhiya zvokuti akatemera vanhu chirevo nyika dzose dzoumambo hwake akaitawo zvokuchinyora chokuti: “Zvanzi naSairosi mambo wePezhiya, Tenzi, Mwari Wedenga akandipa umambo hwenyika dzose dzapasi pano uye akandipawo basa rokuti ndimuvakire imba kuJerusaremu kwaJudha. Ani naani pakati penyu anenge ari wevanhu vake, Mwari wake ngaave naye akwire kuJerusaremu guta riri kwaJudha andovakazve imba yaTenzi, Mwari weIsiraeri. Iyeyo ndiye Mwari ari muJerusaremu. Mumwe nomumwe akasara ari mupenyu ari kugara munzvimbo ipi neipi zvayo, ngaabatsirwe navanhu venzvimbo yake iyoyo nesirivha nendarama nezvimwe zvinhu nezvipfuwo pamwechete nezvinhu zvemipiro yokupa nechido zvemba yaMwari iri kuJerusaremu.” Ndopakasimuka vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba okwaJudha novokwaBhenjamini navapristi nevaRevhi, nomunhu wose zvake akanga amutswa mwoyo naMwari kuti akwire kundovakazve imba yaTenzi iri kuJerusaremu. Vose vaiva munharaunda dzavo vakavabatsira nemidziyo yesirivha nendarama nezvimwe zvinhu nezvipfuwo nezvimwewo zvakakosha tisingaverengeri zvose zvaiti munhu aipawo zvake nechido. Mambo Sairosi akaunzawo midziyo iya yomumba yaTenzi yakanga yambokukuchwa muJerusaremu naNebhukadhineza akasvikoiisa mumba yavamwari vake. Sairosi mambo wePezhiya akaburitsa izvi zvichitungamirirwa nasahomwe Mitiredhati akaiverengera Sheshibhaza jinda rokwaJudha. Kuwanda kwayo ndikoku uku, kwaiti madhishi endarama makumi matatu mbenge dzendarama chiuru kwouya mabisiro: makumi maviri namapfumbamwe kwouyawo ndiro dzendarama: dzaiita makumi matatu ndiro dzesirivha: zviuru zviviri zvine mazana mana nechiuru chemimwewo midziyo. Midziyo yose yendarama neyesirivha yakanga iri zviuru zvishanu namazana mana ane makumi matanhatu nepfumbamwe. Sheshibhaza akatakura zvose izvozvo pakabva nhapwa kuBhabhironi dzichidzoserwa kuJerusaremu. Zvino ava ndivo vanhu vedunhu iroro vakabva kuutapwa pane vakanga vatamiswa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi. Vakadzokera kuJerusaremu kwaJudha mumwe nomumwe kuguta rokwake. Vakauya navo ndiZerubhabhero naJeshua naNehemiya naSeraya naReeraya naModhekai naBhirishani naMisipari naBhigivhai naReumu naBhaana. Pavanhu veIsiraeri, uwandi hwavarume vacho hwaiva hwakamira hwakadai izvi: vanakomana vakwaParoshi vaiva zviuru zviviri zvine zana nemakumi manomwe ane vaviri, kwouya vokwaShefatiya vari mazana matatu namakumi manomwe navaviri, kwoti vokwaAra variwo mazana manomwe ane makumi manomwe ane vashanu, kwotiwo vakwaPahatimoabhu vari vokwaJeshua naJoabhu vari zviuru zviviri zvine mazana masere negumi navaviri, kwouyawo vokwaEramu vari chiuru chine mazana maviri ane makumi mashanu avanhu, kwoti vokwaZatu vaiva mazana mapfumbamwe ane makumi mana navashanu, kwozouya vokwaZakai variwo mazana manomwe ane makumi matanhatu, kukati vokwaBhani vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri, kukatiwo vokwaBhebhai mazana matanhatu ane makumi maviri navatatu, kuchitiwo vokwaAzigadhi chiuru chine mazana maviri namakumi maviri ane vaviri, kwouya vokwaAdhonikamu vaiva mazana matanhatu ane makumi matanhatu navatanhatu, kwouyawo vokwaBhigivhai vari zviuru zviviri zvina makumi mashanu navatanhatu, kwozoti vokwaAdhini mazana mana namakumi mashanu navana, kwozotiwo vokwaAtero vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe ana vasere, kwouya vokwaBhezai mazana matatu nemakumi maviri ana vatatu, kwouyawo vokwaJora vaiva zana negumi navaviri, kwoti vokwoHashumu vari mazana maviri ana makumi maviri navatatu, kwotiwo vokwaGibhari mazana mapfumbamwe ana vashanu. Vanakomana vokwaBheterehemu vaiva zana namakumi maviri ana vatatu, kwouya vokwaNetofa vari makumi mashanu ana vatanhatu, navarume vokwaAnatoti zana namakumi maviri navasere, vanakomana vokwaAzimavheti makumi mana navaviri, kwouya nevokuKiriyatijearimu, Kefira naBheeroti mazana manomwe ana makumi mana navatatu, kwouyawo vokuRama nokuGebha vaiva mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete, uye vokwaMikimashi vari zana namakumi maviri navaviri, uyewo varume vokuBhetieri nokuAi mazana maviri ana makumi maviri navatatu uyezve varume vokwaNebho makumi mashanu navaviri, uye varume vokwaMagibhishi zana namakumi mashanu ane vatanhatu, uyewo vanakomana vokune imwe Eramu vaiva chiuru namazana maviri namakumi mashanu ana vana, kwouya vokwaHarimu vari mazana matatu namakumi maviri, kwouyawo vokwaRodhi nokwaHadhidhi okwaOno mazana manomwe ana makumi maviri nevashanu, kwoti vokuJeriko mazana matatu ana makumi mana navashanu, kwotiwo vokwaSenaa zviuru zvitatu zvine mazana matanhatu namakumi matatu. Vapristi: vanakomana vokwaJedhaya vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbambwe ana makumi manomwe nevatatu, kwouya vokwaImero vari chiuru chine makumi mashanu ane vaviri, kwouyawo vokwaPashihuru chiuru china mazana maviri ana makumi mana navanomwe kwozouya vokwaHarimu chiuru chine gumi navanomwe. VaRevhi, vanakomana vokwaJeshua nevokwaKadhimieri vechizvarwa chokwaHodhavhiya vaiva makumi manomwe ane vana. Vaimbi vana vokwaAsafu vaivawo zana namakumi maviri navasere. Vachengetedzi vepamisuo mikuru vaiva vanakomana vevava vanoti: Sharumu naAtero naTarimoni naAkubhu naHatita naShobhari. Pamwechete vaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe. Vashandi vomuTemberi: vaiva vanakomana vavavawo vanoti: Ziha naHashupa naTabhahodhi naSairosi naSiaha naPadhoni naRebhana naHagabha naAkubhu naHagabhu naSharimai naHanani naGidhero naGahari naReaya naRezini naNekodha naGazamu naUza naPaseya naBhesai naAsina naMeunimu naNefisimu naBhakibhu naHakufa naHarihuru naBhazirati naMehidha naHarisha naBharikosi naSisera naTema naNezia naHatifa. Vanakomana vavaranda vaSoromoni: vakanga vakamira vakadai, paiti: vanakomana vokwaSotai naHasofereti naPerudha naJaara naDharikoni naGidhero naShefatiya naHitiri naPokeretihazibhaimu naAmi. Ivava vepaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ana makumi mapfumbamwe navaviri. Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhani nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzamadzibaba avo kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete. Vakanga vari vanakomana vaava vanoti: Dheraya naTobhiya naNekodha. Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mashanu navaviri. Pakati pavapristiwo: paivawo navanakomana veava vanoti: Habhaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita ravo) Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi vakanzi vakan'ora. Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa Mwari kuti anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu. Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri namazana matatu ane makumi matanhatu avanhu tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaine vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri. Vaive namabhiza mazana manomwe ane makumi matatu ana matanhatu nemanyurusi mazana maviri ana makumi mana namashanu, kwozouya ngamera mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvine mazana manomwe namakumi maviri. Vamwe vatungamiriri vedzimhuri pavakasvika kumba yaTenzi yakanga iri kuJerusaremu vakabvisira imba yaMwari mipiro yokupa nechido yokuivakisa panzvimbo payo. Vakabvisa sokugonawo kwavo vachipa kune vokuchengeta maigara upfumi hwakanangana nebasa iroro ndarama yaiita mazana mashanu amakirogiramu nesirivha yainge yoda kuita matani maviri ana makirogiramu mazana masere nezana rehanzu dzavapristi. Vapristi navaRevhi navanhu vamwe navaimbi navachengetedzi vemisuo mikuru navashandi vepatemberi vakagara mumaguta ekwavo. VaIsiraeri vosewo vakagara mumaguta ekwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta. Vanhu vakaungana muJerusaremu vaine pfungwa imwe. Ndopazosimuka Jeshua mwanakomana waJozadhaki nevamwe vake vapristi naZerubhabhero mwanakomana waShearitieri pamwechete nehama dzake vakandovaka atari yaMwari weIsiraeri yokupirira mipiro yokupisa pairi sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi, munhu waMwari. Vakagadzira atari panzvimbo payo nokuti vaitya vanhu vomunyikamo. Vakapirapo mipiro yokupisa kuna Mwari, iri mipiro yokupisa mangwanani nemanheru. Vakachengeta Mazuva Makuru eMatumba sokunyorwa kwazvakaitwa vachipira mipiro yokupisa yemazuva ose. Uwandi hwayo huchifambiranawo nezviri pamurao sezvainge zvichidiwa pazuva nepazuva. Vakazopirawo mipiro yokupisa inoramba iripo nemipiro yepakugara kwemwedzi nepamazuva makuru ose akatemwa aTenzi nemipiro yomunhu wose zvake yokupa kuna Tenzi nechido. Kubvira pamusi wokutanga wemwedzi wechinomwe vakabva vatangisa kupira kuna Tenzi mipiro yokupisa. Izvozvo ugaro hwemba yaTenzi hwakanga husati hwavakwa. Nokudaro vakapa mari kune vokuvaka nemabwe nokuvavezi. Vakapawo chokudya nechokunwa namafuta eorivhi kune vokuSidhoni nevokuTire kuti vatore mapango omusidhari kuRebhanoni vachiaunza kugungwa oendeswa kuJopa maererano nemvumo yavakanga vapiwa naSairosi mambo wePezhiya. Mugore rechipiri rokuuya kwavo kumba yaMwari kuJerusaremu, mumwedzi wechipiri, Zerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki vakatanga kuvaka pamwechete nehama dzavo vapristi nevaRevhi nevamwe vose vakanga vadzoka kuJerusaremu vachibva kuutapwa. Vakasarudza vamwe vevaRevhi vaibvira pamakore makumi maviri zvichikwira kuti vave vakuru vakuru vokuona nezvebasa remba yaTenzi. Jeshua navanakomana vake nehama dzake pamwechete naKadhimieri navanakomanawo vake, vechizvarwa chokwaJudha, ndivo vakasimuka vova vokuona nezvevashandi vebasa remba yaMwari pamwechete navanakomana vokwaHenadhadhi nevaRevhi navanawo vavo vakomana nehama dzavo. Vokuvaka pavakavaka ugaro hweTemberi yaTenzi, ndopazosimukawo vapristi vakapfeka magemenzi avo nemabhosvo ukuwo vaRevhi navanakomana vaAsafi vaine makwakwakwa outare kuzorumbidza Tenzi semarongerwo azvakanga zvaitwa naDhavhidhi mambo weIsiraeri. Vakaimba vachidairana vachitenda nokurumbidza Tenzi vachiti “Nokuti wakanaka uye nokuti mwoyochena wake hauperi kuvaIsiraeri.” Izvozvo vanhu vose vaidaidzira kwazvo vachirumbidza Tenzi nokuti ugaro hwemba yaTenzi hwakanga hwavakwa. Asi vazhinji vevapristi nevaRevhi navatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo pavakaona ugaro hwemba iyoyi huchivakwa, vakahwihwidza kuchema zvinotonzwika kunyange zvazvo vamwe vaichema nokufara zvokuti vanhu havana kumbogona kuziva kuti kuchema uku ndokwekufara here kana kuti vari kuchema nokuti paizhambwa ipapo izwi richinzwika nokoko kure. Vavengi vavanhu vokwaJudha nokwaBhenjamini pavakanzwa zvino kuti vanhu vokumbotapwa vakadzoka vaye vari kuvakira Tenzi, Mwari weIsiraeri Temberi, vakaenda kuna Zerubhabhero nevatungamiriri vaye vedzimba dzamadzibaba vakati kwavari, “Hatingavakewo here nemi nokuti isu tinotsvakawo Mwari wenyu kungoitawo imi uye tanga tichingopira zvibayiro kwaari kubvira panguva yaEsarihadhoni mambo weAsiria nyakutiuyisa kuno.” Asi Zerubhabhero naJeshua navamwe vose vatungamiriri vaye vedzimba dzamadzibaba omuIsiraeri vakati kwavari, “Hazvinei nemi kuti isu tiri kuvakira Mwari wedu imba! Asi kutoti iyesu toga ndisu iyesu tichavakira Tenzi, Mwari weIsiraeri sokuudzwa kwatakaitwa namambo Sairosi, mambo wePezhiya.” Vanhu vomunyika umu vakaodza mwoyo vanhu vokwaJudha vachivapinza mukutya kuvaka vachivakokera mamwe makurukota okuita zvokubhadhara kuti zvavaida zviparare mazuva ose aSairosi mambo wePezhiya kunyangovawo nomumazuva aDhariosi mambo wePezhiya. Kuzoti Ahashieroshi ava kutonga, achangotangisa kutonga vakanyora mhosva dzokupomera vagari vemaJudha neJerusaremu. Panguva yaAtakizesesi, Bhishiramu naMitiredhati naTabhieri navamwe vavo vose vechikwata chavo vakanyorera Atakizesesi mambo wePezhiya tsamba yakanyorwa nomutauro wechiArameiki ikaturikirwa. Mumwe mutongi ainzi Rehumu nomunyori Shimushai vakanyorera mambo Atakizesesi tsamba yokupomera Jerusaremu mhosva sezvizvi vachiti; “Ndisu vanaRehumu mutongi nomunyori, Shimushai nevamwe vose vechikwata chedu pamwechete navatongi namasadunhu navakuru vakuru vechiPezhiya navarume vokuEreki novokuBhabhironi uye varume vokuSusa, ndivo vaEramu ivavo, pamwechete navemamwe marudzi ose aye vakatapwa navakuru vakuru vokumba huru Osinaparu akagariswa kuSamaria nokuna mamwe maruwa ose enyika dziri Mhiri kweRwizi.” (Iyoyi ndiyo tsamba yavakatumira vachiti), “Ndisu varanda venyu vokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi tanyorera imi mambo Atakizesesi tichikukwazisai. “Tingade kuti imi mambo muzive kuti vaJudha vakabva kwamuri vachiuya kwatiri vakasvikoenda kuJerusaremu. Vari kutovaka guta riye roumhandupandu nouipi. Vava kutopedza tsvingo dzacho nokugadziridzawo ugaro hwaro. Tati tikurumei nzeve mambo muzive zvenyu kuti guta irori rikangovakwa chete, tsvingo dzaro dzapera, havasi kuzobvisa mutero kana zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange mutero wenzira nezvoupfumi hwokwamambo hauzowanika. Zvino pamusana pokuti tinodya zvomumuzinda tinozviona zvisinganake kuzotarisa zvedu mambo achishorwa. Ndokusaka tati tifane takurumai nzeve, kuitira kuti nyaya iyi imbotariswa muBhuku reZvinyorwa zvamadzibaba enyu. Muchazviwana muBhuku reZvainyorwa iroro mugoziva kuti guta irori iguta rechimurenga, munzwa zvawo chaiwo uri mundove kumadzimambo nokunyika dzaiva pasi paro. Vanhu vakangogara nokugara vari kusokana mweya woupanduki. Ndochakapawani kuti guta irori riparadzwe. Ndokusaka tati izvozvi zvisvikewo munzeve dzamambo, zvokuti guta iroro rikavakwa, tsvingo dzaro dzikapera, chenyuwo munyika dziri pasi penyu Mhiri kuno kweRwizi rwaYufuratesi, panenge pasisina.” Mambo akatumira mhinduro achiti, “Netsamba yangu iyi imi mutongi Rehumu nomunyori Shimushai navamwe vose vechikwata chenyu vanogara kuSamaria nokumwe kwose mumaruwa enyika iri kuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi, ndinokukwazisai. Zvino tsamba yamakatitumira ndakanyatsoiverengerwa ndikatema chirevo kukatsvakwa zvikawanika kuti guta irori chingo nechingo rakangogara riri rokumukira madzimambo uye kuti imomo zvechimurenga nokusokana mweya zvoupanduki zvakatoitwa. Uye muJerusaremu makamboita madzimambo ane simba guru kwazvo vakatombotongawo maruwa ose enyika dziri kuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi kwavari kuchitoendeswawo mutero nezvirehwarehwa zvokwamambo pamwechete nomutero wenzira. Saka chitemerai vanhu ivavo chirevo chokuti vabva vamiswa uye kuti guta irori rirege kuvakwa kusvikira ini ndatozotema chirevo. Mochichenjera, murege zvechinono panyaya iyoyi. Umharadzi hwakadaro hungaregererweiko huchikura zvokuzosiya hwarozva mambo?” Kuzoti tsamba yamambo Atakizesesi payakazoverengerwa Rehumu naShimushai munyori nevechikwata chavo vakabva vaita zvechimbichimbi kuenda kuJerusaremu kuvaJudha. Vakabva vaita zvokuvamanikidza nechisimba kuvamisa. Basa remba yaMwari iri kuJerusarmu rakabva rambomira rakadaro. Rakamira rakadaro kusvikira gore rechipiri rokutonga kwaDhariusi mambo wePezhiya. Ndipo pakazoporofita vaporofita vanaHagai naZekariya mwanakomana waIdho kuvaJudha vaiva kwaJudha neJerusaremu muzita raMwari weIsiraeri akanga ari pavari. Ndipo pakazosimuka Zerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki votangazve kuvaka imba yaMwari iri muJerusaremu vachibatsirwa navaporofita vaMwari vavaiva navo. Panguva yakareyo kwakauya Tatenai zisadunhu remaruwa ose enyika dziri kumhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai pamwechete nevechikwata chavo vakavavinga vakataura kwavari vachiti, “Chirevo chokuti imi muvake imba iyi nezvamava kuvaka izvi chabva kuna ani? Saizvozvo tinodawo kunzwa kuti mazita evarume vari kuvaka imba iyoyi iyi ndivanaani?” Asi ziso raMwari wavo rakanga riri pavakuru vakuru vevaJudha zvokuti havana kumbovamisa kusvikira shoko ratosvitswa kuna Dhariusi uye iyewo atotumira tsamba yokuvapindura panyaya iyoyi. Ino iyi ndotsamba yakanyorwa naTatenai zisadunhu renyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai nevechikwata chavo nevatongi vokunyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi ikoko ikatumirwa kuna mambo Dhariusi. Vakamutumira tsamba yakanga yakanyorwa kunzi, “Netsamba yeduwo iyi mambo Dhariusi tinokukwazisai. Tingade kuti imi mambo muzivewo kuti takaenda kunyika yokwaJudha pamba yaMwari mukuru. Iri mukuvakwa izvozvi namabwe makuru, mapango akatowarikwa mumadziro umu. Basa irori riri kunyatsoenderera mberi kuri kuitwa chipatapata. Takabvunza vakuru vakuru ivavo tikataura navo tichiti, ‘Ndiani akakutemerai chirevo chokuti imi muvake imba iyi uye kuti mupedzese zvamuri kuvaka izvi chabva kuna ani?’ Takavabvunzawo mazita avo, tichiitira kuti imi muzive tigonyora mazita avarume vari kutungamirira vacho. Mhinduro yavakatipindura ndeyiyi vakati, ‘Isu tiri varanda vaMwari Wedenga napasi. Tiri kuvaka zvakare imba yakambovakwa nomumwe mambo weIsiraeri makore mazhinji akapfuura ikatopera. Asi pamusana pokuti madzibaba edu akashatirisa Mwari Wedenga akabva avaisa mumaoko aNebhukadhinezari mambo weBhabhironi wechiKaradhia. Iye akaparadza imba iyoyi akatuta vanhu kuendesa kuBhabhironi. Zvakadaro zvazvo, mugore rechiposhi rokutonga kwaSairosi mambo weBhabhironi, mambo Sairosi wakareyu akatema chirevo chokuti imba yaMwari iyoyi ivakwe zvakare. Izvozvo midziyo yendarama neyesirivha yomumba yaMwari yakanga yatorwa naNebhukadhineza muTemberi yaiva muJerusaremu ikaendwa nayo kuTemberi yokuBhabhironi, mambo Sairosi vakaiburitsa mutemberi yeBhabhironi ikaiswa mumaoko omumwe ainzi Sheshibhaza waakanga aita sadunhu wacho.’ Akamuti, ‘Tora midziyo iyi unoiisa muTemberi iri kuJerusaremu imba yaMwari ivakwe payakanga iri.’ Ndipo pakauya Sheshibhaza iyeyu akavaka ugaro hwemba yaMwari iri muJerusaremu. Kubvira panguva iyoyo kusvikira pari nhasi ichiri mukuvakwa haisati yapera. Naizvozvo kana imi mambo maonawo kuti pakanaka, ngakutsvakwe mumba mokuchengetera zvinyorwa zvokwamambo kuBhabhironi ikoko kuonekwe kuti mambo Sairosi akapa here chirevo chokuti imba yaMwari iyoyi iri muJerusaremu ivakwezve. Titumireiwo mhinduro yezvamunoda kuti zviitwe panyaya iyoyi.” Mambo Dhariusi akabva azopawo chirevo, kukatsvakwa muBhabhironi mumba mokuchengetera zvinyorwa macho makanga machengeterwa zvinyorwa izvozvo. Zvakazowanika muEkibhatana guta guru renyika yeMedhia bhuku rokumunonora pakanga pakanyorwa kunzi, “Chiyeuchidzo! Mugore rechiposhi rokutonga kwamambo Sairosi akatema chirevo chakanangana nezvemba yaMwari iri kuJerusaremu. Imba iyoyo ngaivakwe zvakare, nzvimbo yokupirira zvibayiro kuna Mwari kunounzwawo mipiro yokupisa. Kureba kuenda mudenga makumi maviri amamita anamamita manomwe, kufara kwayo kuchiita mamita makumi maviri anamamita manomwe. Inofanira kuva nemitsara inoravana ichiti mitsara mitatu yamabwe makuru yoteverwa nomutsara mumwechete wamapango. Mari inodiwa ikoko inofanira kubva munochengeterwa upfumi hwamambo. Pamusoro paizvozvo midziyo yendarama neyesirivha yomumba maMwari iya yakambotorwa naNebhukadhineza muTemberi iri kuJerusaremu ikaendeswa kuBhabhironi inofanira kudzoserwa iendeswe kwakare kutemberi iri Jerusaremu mumwe nomumwe panzvimbo pawaiva muirongedze mumba yaMwari imomo.” “Zvino imi vana Tatenai, zisadunhu renyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai navamwe venyu masadunhu echikwata chenyu muri kunyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi, siyanai nazvo. Zvebasa remba yaMwari izvo siyanai nazvo. Regai sadunhu wavaJudha navakuru vakuru vavaJudha vavake zvakare imba yaMwari payaiva. Chimwe ndechokuti ndatotema chirevo chezvinofanira kuitirwa vakuru vakuru vavaJudha maererano nokuvakwazve kwemba yaMwari chokuti mari yacho inodiwapo inofanira kubhadharwa varume ivava yose zvayo yakadaro pasina zvokunonoka ichibva kumari yokwamambo pamutero wenyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi. Chose zvacho chinenge chichizodiwa sezvakaita handira dzichiri duku nehondohwe kana hwai dzemipiro yokupisira Mwari Wedenga kunyange koroni nomunyu newaini kana mafuta eorivhi, zvichadiwa zvacho navapristi kuJerusaremu; izvozvi izvi vanofanira kuti vapiwe zuva nezuva pasina zvokukundikana, kuitira kuti vapire zvibayiro zvinofadza Mwari Wedenga, vagonamatirawo upenyu hwamambo nohwevana vake. Ndatotemazve chimwe chirevo chokuti: Kuwana anongosandura chirevo ichochi, pamba pake ngapavhomorwe bango apaikirwe pariri, imba yake iitwe murwi wamarara. Iye Mwari akaita kuti zita rake riiswe ipapo ngaaparadze mambo kana vanhu vanenge vane chavangaite kusandura izvi kana kuparadza imba yaMwari iri muJerusaremu. Izvozvi ngazvinyatsoitwa nomazvo chaimo. Chirevo ichochi chatemwa neni. Ndini Dhariusi.” Tatenai zisadunhu renyika dzokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi naShetari Bhozenai nevechikwata chavo vakanyatsoita naimomo chaimo makarehwa neshoko rakatumirwa naDhariusi. Izvozvo vakuru vakuru vevaJudha vainge vachivaka zvavo zvichibudirira nokuporofita kwomuporofita Hagai naZekariya mwanakomana waIdho. Vakapedza kuvaka imba yavo sezvakanga zvanzi zviitwe naMwari weIsiraeri uye maererano nechirevo chaSairosi naDhariusi naAtakizesesi mambo wePezhiya. Imba iyoyi yakapedzeswa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, muri mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariusi. Vanhu veIsiraeri, vapristi nevaRevhi navamwe vose vokudzoka kuutapwa, vakaita zuva guru rokuteketerera kuna Mwari imba yaMwari iyi vachipembera kufara. Pakuteketerera imba yaMwari uku vakapira zana rehandira nehondohwe mazana maviri uye hwayana mazana mana pamwechete nomupiro wokupfupira zvitadzo zveIsiraeri yose zvayo wamakotora gumi namaviri zvichienderanawo nouwandu hwamadzinza avaIsiraeri. Vakabvawo varonga vapristi muzvikwata zvavo, vaRevhiwo namajana kuitira basa raMwari muJerusaremu sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku raMosesi. Pazuva regumi nechina romwedzi wokutanga, vokudzoka vaye vokumbenge vatamiswa vachiendeswa kusiri kwavo vakachengeta Pasika nokuti vapristi navaRevhi pamwechete vakanga vazvinatsa vose vava vanhu vakazvichenura. Saka vakazviurayira ivo pachavo hwayana yePasika navaye vokudzoka vaya vokumbotamisirwa kusi kwavo nevamwe vavo vapristi. Yakadyiwa navanhu vechiIsiraeri vakanga vadzoka kwavakanga vatamisirwa kusi kwavo pamwechete nomunhu wose akanga abatanawo navo achizvitsaura mune zvakan'ora zvavanhu vechirudzi vomunyika imomu kuitira kuti vazotsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri. Vakachengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe vachifara nokuti Tenzi akanga avafadza kwazvo aitawo kuti mambo weAsiria apinduke mwoyo, uve kwavari avabatsire basa remba yaMwari, Mwari weIsiraeri. Mushure maizvozvi izvi, panguva yokutonga kwaAtakizesesi mambo wePezhiya, Ezira mwanakomana waSeraya Seraya aberekwa naAzariya Azariya ari mwana waHirikiya Hirikiya mwanakomana waSharumu Sharumu wokuberekwa naZadhoki Zadhoki mwana waAhitubhu Ahitubhu ari mwana waAmariya Amariya ari mwanawo waAzariya Azariya aberekwa naMeraoti Mearaoti wokuberekwa naZerahiya Zerahiya mwanakomana waUzi Uzi aberekwa naBhuki Bhuki wokuberekwa naAbhishua Abhishua mwana waFinehasi mwana waErizeri mwana waAroni mupristi mukuru. Ezira wacho iyeyu akasimukawo kubva kuBhabhironi. Akanga ari munyori nyanzvi chaiyo yomutemo waMosesi wakapiwa naTenzi, Mwari weIsiraeri. Mambo akamupa zvose zvaakanga akumbira pamusana pokuti ruoko rwaTenzi, Mwari wake rwaiva paari. Kwakasimukawo vamwe vanhu vechiIsiraeri navapristi nevaRevhi navaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru navashandi vomutemberi vakaendawo kuJerusaremu, mugore rechinomwe rokutonga kwamambo Atakizesesi. Zvino iye akasvika Jerusaremu mumwedzi wechishanu muri mugore rechinomwe rokutonga kwamambo uyu. Nokuti pazuva rechiposhi romwedzi wokutanga ndipo paakatangisa rwendo rwokubva kuBhabhironi; kuzoti pava pazuva rechiposhi remwedzi wechishanu, akasvika muJerusaremu pamusana pokuti ruoko rutsvene rwaMwari wake rwaiva paari nokuti Ezira akanga azvipira nomwoyo wose kudzidza mutemo waTenzi nokuuchengeta nokudzidzisawo zvirevo zvake nemirao yake muIsiraeri. Tsamba yakapiwa namambo Atakizesesi kumupristi Ezira munyori uya, muzivisisi wezvemitemo nemirao yaTenzi yaakapa Isiraeri; ndeyiyi yaiti: “Ini Atakizesesi mambo wemadzimambo ndiri kukunyorera iwe Ezira mupristi nyanzvi yomutemo waMwari Wedenga. Zvino ndatema chirevo chokuti: Ani naani zvake wechiIsiraeri kunyange mupristi kana muRevhi munyika mangu anozvipira zvake kuenda kuJerusaremu ngaaende zvake newe. Sezvo ini namakurukota angu manomwe tirisu tiri kukutumai kundoongorora nezvemutemo waMwari wenyu uri mumaoko enyu kwaJudha nomuJerusaremu uye muendewo nesirivha nendarama yakapiwa zvayo namambo namakurukota ake sechipo kuna Mwari weIsiraeri ane musha wake muJerusaremu pamwechete nesirivha nendarama yamuchawana munyika yose yeBhabhironi pamwechetewo nomupiro wokupa zvavanotsidza zvavo kupirira imba yaMwari wavo iri kuJerusaremu. “Munyatsoona kuti nemari iyoyi manyatsotengawo handira nehondohwe nehwayana pamwechete nemipiro yazvo yembesanwa nemipirowo yazvo yokuteura. Munofanira kupira izvozvo paatari yepaimba yaMwari wenyu iri muJerusaremu. Zvamunenge maonawo imi nehama dzenyu kuti zvakanaka kuitwa nesirivha nendarama inenge yasara, itai zvenyu maererano nezvinenge zvichidiwa naMwari wenyu. Midziyo yamakapiwa yokushandisa mumba yaMwari wenyu, mundozviturira kuna Mwari weJerusaremu. Kana pane chimwezve chingadiwe pamba yaMwari wenyu chinenge chichifanira kuti imi mubvise munotora zvenyu mudzimba dzinochengeterwa upfumi hwokwamambo. “Zvino ini mambo Atakizesesi ndatemera chirevo vanasahomwe vose vari kunyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi chokuti: chose zvacho chinenge charehwa kwamuri nomupristi vaEzira, nyanzvi yomutemo waMwari wedenga nyatsochiitai nomazvo chaimo; sirivha ngaive ingasvike zvayo matani mana ane makirogiramu mazana mana chete; koroni ivewo ingasvike gumi rezviuru zvemakirogiramu chete; waini ive zvayo inosvika zviuru zviviri zvemarita chete; mafuta eorivhi avewo zvawo angasvike zviuru zviviri zvemarita chete; munyu uve usina muganhu. Chose chinenge charehwa naMwari wedenga chepamba yaMwari iyeyo nyatsochiitai nokukurumidza angadaro akavirukira umambo hwangu nehwavanakomana vangu nehasha. Tinokuzivisaiwo kuti vapristi nevaRevhi kana vaimbi kana vachengetedzi vepamisuo mikuru kunyange vashandi vepaTemberi kana vamwe vashandi zvavo vepaTemberi yaMwari hamuchabvumirwa nomurao kuvabvisisa mutero kana zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange mutero wenzira. Zvino iwe Ezira maererano noungwaru hwaMwari hwako hwaunahwo, sarudza vokutonga dzimhosva navatongi vakuru vanotongera vanhu vose venyika iri Mhiri kweRwizi rwaYufuratesi, vose zvavo vanoziva mitemo yaMwari wako, vasingaizive wovadzidzisawo. Ani naani zvake anongorega chete kuteerera mutemo waMwari wako nomutemo wamambo ngaatongwe zvakaomarara kungave kunzi aurayiwe kana kudzingwa munyika kunyange kunzi atorerwe zvinhu zvake zvaanazvo kana kuiswa muusungwa.” “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wemadzibaba edu akaisa izvozvi zvakadai izvi mupfungwa dzamambo zvokushongedza imba yaTenzi iri muJerusaremu akaita kuti mwoyochena wake usvikewo kwandiri ndionekwewo somunhu namambo namakurukota ake ndionekwewo somunhu nevakuru vakuru chaivo vepamusoro vokwamambo. Zvakabva zvandikurudzirawo nokuti ruoko rwaTenzi Mwari wangu rwaiva pandiri ndikakokorodza varume vechiIsiraeri vakuru vakuru ndikakwira kuenda navo.” Vanakomana vevatungamiriri vedzimhuri dzemadzibaba avo nezvizvarwa zvevakasimuka vakabva kuBhabhironi neni pakutonga kwamambo Atakizesesi ndeava ava, paiti: vokwaFinehasi: ndiGerishomu vokwaItamaru: ndiDhanieri vokwaDhavhidhi: ndiHatushi wokumhuri yokwaShekaniya. Vanakomana vokwaParoshi: ndiZekariya aiva nezana revanhu rine varume makumi mashanu vaakanyorwa ainavo vokwaPahatimoabhu: ndiErihoenai wokumhuri yokwaZeraya aine mazana maviri evarume vanakomana vokwaShekaniya mwanakomana waJahazieri aine mazana matatu avarume. VokwaAdhini: ndiObhedhi mwanakomana waJonatani akanga aina varume makumi mashanu vokwaEramu: ndiJeshaya mwanakomana waAtariya aivawo namakumi manomwe avarume vokwaShefatiya: ndiZebhadhiya mwanakomana waMikaeri aina makumi masere evarume vokwaJoabhu: ndiObhadhiya mwanakomana waJehieri namazana maviri evarume navarume gumi navasere vokwaBhani: ndiSherumiti mwanakomana waJosifiya akanga aine zana namakumi matanhatu evarume vokwaBhebhai: ndiZekariya mwanakomana wokwaBhebhai aine varume makumi maviri ane vasere. VokwaAazigadhi: ndiJohanani mwanakomana wokwaHakatani akangawo aine zana revarume rine varume gumi vokwaAdhonikamu: vokupedzisira vacho mazita avo ndeaya anoti Erifereti naJeueri naShemaya vaivawo namakumi matanhatu evarume vokwaBhigivhai: ndiUtai naZakuri vaine makumi manomwe evarume. Ndakavaunganidza parwizi runoerera ruchienda kuAhavha tikamboita musasa wedu ipapo kwamazuva matatu. Pandakawongorora vanhu navapristi, handina kuwana paina vanakomana vokwaRevhi. Ndopandakatumira shoko rokuti kuuye Eriezero naArieri naShemaya naErinatani naJaribhu kwouya Erinatani naNatani naZekariya naMeshuramu vakuru vakuru, kwozouya Joyaribhu naErinatani vakanga vari vanhu vainzwisisa ndikavatuma kuna Idho mukuru mukuru aiva kunzvimbo inonzi Kasifia. Ndakavaudza zvokundotaura kuna Idho nehama dzavo vashandi vepatemberi kuKasifia kwacho ndichiti vatitumire vokushanda mumba yaMwari wedu. Pamusana pokuti ruoko rwaMwari rutsvene rwaiva pamusoro pedu, ivo vakatiunzirawo murume anoungwaru kwazvo wokuvanakomana vokwaMahiri mwanakomana waRevhi mwana waIsiraeri anonzi Sherebhiya pamwechete navanakomana vake nehama dzake vari gumi navasere. Uyewo naHashabhiya aina Jeshaya vanakomana vokwaMerari pamwechete nehama dzavo navana vavo vakomana vari makumi maviri. Apa tinenge tisingaverengere zvedu mazana maviri ana makumi maviri avashandi vepaTemberi vakanzi naDhavhidhi namakurukota ake vave pavo voga kuitira kuti vashandire vaRevhi. Ivava vose zvavo vakatodomwa namazita. Ndakazodaidzira kuti kutsanywe ipapo parwizi rweAhavha kuitira kuti tizvidukupise kuna Mwari wedu kuti atiwanisewo kufamba kwakanaka isu navana vedu nezvedu zvose zvataiva nazvo. Chakandidariso kwaiva kunyara kukumbira mambo chikwata chavarwi vehondo navachairi vamabhiza vokutidzivirira kuvavengi murwendo rwedu sezvo takanga tati kuna mambo, “Ruoko rwaMwari wedu ruri pane vose vanomutsvaka kuti zvivanakire, uku, simba rehasha dzake richivirukira vose vanomufuratira.” Ipapo isu takatsanya tichiteterera kuna Mwari wedu naizvozvi izvi, iye ndokunzwawo chichemo chedu. Ndakazosarudza vapristi gumi navaviri vakuru vakuru ava vanoti: Sherebhiya naHashabhiya nedzimwe hama dzavo gumi dzavaiva nadzo. Ndakavaerera sirivha nendarama nemidziyo yechipo chiya chokubvisirwa imba yaMwari wedu namambo namakurukota ake namadzishe ake pamwechete navaIsiraeri vose vaivepo. Ndakaera ndikaisa mumaoko avo, sirivha inoita matani makumi maviri nezana remidziyo yesirivha inorema makirogiramu makumi manomwe uye ndarama inorema matani matatu ana makirogiramu mazana mana nemakumi maviri endiro dzendarama dzinorema makirogiramu masere ana magiramu mazana mana uyewo midziyo miviri yendarira yakangokosha zvimwechetezvo sendarama. Ndakavati, “Imi muri vanhu vakatsaurirwa Tenzi vatsvene uye midziyo iyoyi iyi, midziyo inoera. Sirivha nendarama iyi chipo chokupa kuna Tenzi, Mwari wemadzibaba enyu yomupiro wokupawo zvawo nechido. Itarirei muichengetedze kusvikira maiera pameso pavapristi vakuru vakuru navaRevhi navatungamiriri vedzimba dzamadzibaba muIsiraeri kuJerusaremu mudzimba dzomutemberi yaTenzi.” Saizvozvo vapristi navaRevhi vakagamuchira mutoro wesirivha iyoyi nendarama nemidziyo vakaenda nayo Jerusaremu kumba yaMwari wedu. Takazosimuka kubva parwizi rwaAhavha pazuva regumi nechipiri remwedzi wokutanga toenda Jerusaremu, ruoko rwaMwari wedu ruri patiri. Akatinunura mumaoko avavengi nokune vaitihwandira munzira. Takasvika kuJerusaremu tikaita mazuva edu matatu tirimo. Pazuva rechina racho, mukati memba yaMwari imomo, sirivha iya nendarama nemidziyo yakaerwa ikaiswa mumaoko omupristi Meremoti mwanakomana waUriya aivawo naEreazari mwanakomana wokwaFinehasi vaine vaRevhi ava vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhiya mwanakomana wokwaBhinui. Zvose zvakaverengwa zvikaerwa uremu hwazvo zvose hukanyorwa pasi. Panguva iyoyo vokudzoka kuutapwa vakanga vatapwa vakatamisirwa kusi kwavo vaye vakapira mipiro yokupisa kuna Mwari weIsiraeri zvaiti gumi rehandira dzokupirira Isiraeri yose nehondohwe makumi mapfumbamwe nenhanhatu nehwayana makumi manomwe nenomwe namakotora gumi namaviri omupiro wokupfupira zvitadzo. Zvose izvozvi zvaiva zvomupiro wokupisira kuna Tenzi. Vakasvitsawo zvirevo zvamambo kuna madzishe okwamambo nokumasadunhu enyika iyi yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi, ivo ndokubva vabatsira vanhu uye nezvemba yaMwari. Mushure mokunge izvi zvaitwa, vakuru vakuru vakauya kwandiri vakati, “Vanhu vechiIsiraeri navapristi nevaRevhi havana kuzvitsaura kune vechirudzi vedzinyika idzi nokune zvakaipa zvadzo zvisingadiwe naMwari kune vechiKanani nevaHiti nevaPerizi nevaJebhusi nevaAmoni nevaMoabhu nevechiIjipiti nevaAmori nokuti vakatora zvavo vakadzi pane vamwe vevanasikana vavo vavanhu ava vakatoroorerawo vanakomana vavo, zvokuti rudzi rutsvene urwu rwangova mvenge-mvenge nevechirudzi. Panyaya yokurega kuva pachokwadi iyika, makurukota acho nevakuru vakuru vacho chaivo ndovakanga vava nhungamiri.” Pandakazvinzwa ndakabvarura neshungu hembe yangu negemenzi rangu ndikazvigera ndebvu nevhudzi rangu mumusoro ndikati pasi go ndadumbirwa nazvo. Zvino vose vaye vaidedera shoko raMwari weIsiraeri pamusana pokurega kuva pachokwadi kwevokudzoka vaye vakanga vatapwa vakatamisirwa kusi kwavo vakaunganidzana pandiri ini ndigere ndadumbirwa nazvo kudaro kusvikira panguva yechibayiro chemanheru. Panguva yechibayiro chemanheru ndakasimuka kubva pandaitsanya nehanzu dzangu nejasi rangu zvakabvaruka. Ndakapfugama ndikasumudza maoko angu kuna Tenzi, Mwari wangu ndichiti, “Mwari wangu ndinonyara, zvabva zvandishayisa pokuda kuti ndisumudzewo uso kutarisa kwamuri Mwari wangu pamusana pokuti uipi hwedu hwareba pamusoro zvokutotipfuurira. Mhosva dzedu dzavirikidzana kusvika kudenga chaiko iko. Kubvira mumazuva amadzibaba edu, kusvikira pari nhasi tanga tichingova mumhosva huru. Zvino pamusana pouipi hwedu ihwohwo, isu nemadzimambo edu navapristi vedu takaiswa mumaoko amadzimambo edzinyika idzi kumapakatwa nokuutapwa nomukupambwa nomukunyadziswa chaiko sezvazviri nhasi uno. Asi zvino tanga tambonzi itirwei mwoyo wakanaka kwechinguva nemi Tenzi, Mwari wedu mukatisiyirawo chitsama chevanhu vakasara nokutipawo hoko yepokugara pakachengeteka munzvimbo yenyu inoera kuitira kuti imi Mwari wedu mutivhenekere meso edu nokutimutsirudza muutapwa hwedu nokuti tanga tiri varanda asi Mwari wedu hamuna kutisiya tiri varanda kudaro. Asi makaratidza mwoyochena wenyu kwatiri pamberi pemadzimambo ePezhiya mukatimutsurudza mwoyo kuti timise imba yaMwari wedu nokuvakiridza matongo ayo mukaita sorusvingo kwatiri muJudhea nomuJerusaremu. “Ko zvino nhai Mwari wedu tingange tichati kudii pakadai apa nokuti takafuratiraka isu mitemo yenyu yamakareva nomuromo wevaranda venyu vaporofita muchiti, ‘Nyika yamava kupinda kundoita yenyu iyi, inyika yakan'oreswa nouipi hwevanhu venyika idzodzo nezviito zvavo zvakaipa zvisingadiwe naMwari zvakazara kunze nokunze nokun'ora kwavo. Naizvozvo musaroodze vanasinaka venyu kuvanakomana vavo kana kuroorera vanakomana venyu vanasikana vavo. Musambofa makatsvaka zvenyu kuwirirana navo kana kuvabatsira kubudirira kuitira kuti musimbe mudyewo zvakanaka zvomunyika iyoyo muchizoisiyirawo vana venyu senhaka narini wose.’ Mushure meizvozvi zvose zvakadai kutiwira pamusana pezviito zvedu zvakaipa uye nemhosva yedu huru tichionawo kuti imi Mwari wedu hamuna kutiranga sezvataikodzera uye makatotipawo zvenyu chitsama chavanhu vakasara sechichi; ndipo here patingatyore zvakare mitemo yenyu tichiroorerana nevanhu vanoita zvakaipa zvisingadiwe nemi Mwari? Hazvingakushatirisei here mukatosvika pakutiparadza zvokutozosara pasisina chitsama chevanhu vanosara kana kuwana anopunyuka? Imi Tenzi, Mwari weIsiraeri, imi makarurama nokuti takatosiyirwawo chitsama chevanhu vakasara chakatopunyuka sezvazviri nhasi. Hezvika takadai kuva pamuri kunyange pasina angagone kumira pamuri tiine mhosva pamusana paizvozvi.” Ezira paakanga achinamata achireurura nokuhwihwidza kuchema nokuzvirovera pasi pamberi pemba yaMwari, chita chikuru kwazvo chavarume navakadzi navana chakaungana kwaari chichibva muIsiraeri nokuti vanhu vaichema kwazvo. Shekaniya mwanakomana waJehieri wokuvanakomana vokwaEramu akataura kuna Ezira achiti, “Hatina kutendeka kuna Mwari wedu, takaroora vakadzi vechirudzi vendudzi dzomunyika ino. Kunyange zvakadaro zvazvo Isiraeri ichine chitarisiro. Naizvozvo ngatiitei chitenderano naMwari wedu tirambe vakadzi vacho navana vavo maererano nezano renyu changamire uye maererano nezano ravanhu vanodedera mutemo waMwari wedu, zviitwewo maererano nezviri mumutemo. Chisumukai nokuti irori ibasa renyu, isu tinokutsigirai simbai mwoyo muzviite.” Ezira akasimuka akaitisa vakuru vakuru navapristi navaRevhi neveIsiraeri vose chitsidzo chokuti vachaita zvakanga zvarehwa zvacho. Nokudaro vakaita chitsidzo. Ezira akabva pamberi pemba yaMwari akaenda kumba kwaJehohanani mwanakomana waEriyashibhu. Ndokwaakaenda akandorarako asingadye kana kunwa mvura nokuti akanga achichema kusatendeka kwevaye vakatandanisirwa kusiri kwavo. Kwakatumwa chirevo kwaJudha yose neJerusaremu kune vose vakanga vatamisirwa kusi kwavo vaye kuti vaungane kuJerusaremu uye kuti kana munhu akarega kuuyako mazuva matatu asati apera, sezvanga zvatemwa namakurukota navakuru vakuru kuti abvutirwe zvinhu zvaanazvo iye pachake agodzingwa mugungano revaye vokunga vatapwa vachiendeswa kusi kwavo. Varume vose vokwaJudha nevokwaBhenjamini vakaungana kuJerusaremu mumazuva matatu uri mwedzi wechipfumbamwe musi wechimakumi maviri womwedzi iwoyo. Vanhu vose vakaungana munhandare yepamusuo wemba yaMwari vachidedera kutya nyaya iyoyi uyewo pamusana pemvura zhinji yainaya. Mupristi Ezira akasimuka akati kwavari, “Makakanganisa nokuroora kwamakaita vakadzi vechirudzi mukaita kuti mhosva yeIsiraeri ikure. Zvino reururai kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu muite kuda kwake muzvitsaure kuvanhu vomunyika muno navakadzi vechirudzi.” Vanhu vose vakapindura nezwi guru vachiti, “Ndizvozvo chaizvo! Tinofanira kuita sezvamareva. Asika vanhu vakawanda ava uye inguva yokuwanda kwemvura yokunaya. Hatigone kuramba takamira panze pano uye harisi basa rezuva rimwechete kana maviri nokuti kukanganisa kwedu panyaya iyoyi kukuru chaizvo. Mochirega makurukota edu amiririre gungano rose, maguta edu ose ana vakadzi vacho vechirudzi vazouya panguva dzakatemwa. Vanofanira kuuya navakuru vakuru navotongi veguta iroro kusvikira hasha dzaMwari wedu dzinotyisa kwatiri panyaya iyoyi dzapora.” Jonatani mwanakomana waAsaheri naJahizeya mwanakomana waTikivha vakapikisana nazvo. Asi Meshuramu naShebhetai vaRevhi vakatsigirana navo. Vokudzoka vaye vokunga vatapwa vachiendeswa kusiri kwavo vaye vakaita saizvozvo. Mupristi Ezira akasarudza varume vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo imba nemba mumwe nomumwe achidomwa nezita. Pazuva rechiposhi romwedzi wegumi vakagara pasi vakatangisa kuongorora nyaya iyoyi. Nezuva rechiposhi romwedzi wokutanga vakatenge vatopedzerana nevarume vose vakanga vane vakadzi vechirudzi. Pakati pevanakomana vokuvapristi: vanhu vakawanika vakaroora vakadzi vechirudzi ndevava ava: kuvanakomana vokwaJeshua: nokwaJozadhaki nehama dzavo, ndiMaaseya naEriezero naJaribhu naGedhariya. Vakazvisunga nemhiko kuramba vakadzi vavo. Mupiro wokuripa mhosva wavakabvisira mhosva yavo ndowehondohwe yepazvipfuwo zvomudanga. Kuvanakomana vokwaImero: kukawanikawo Hanani naZebhadhiya Kuvanakomana vokwaHarimu: kukawanika kuina Maaseya naEriya naShemaya naJehieri naUziya kuvanakomana vokwaPashuri: kukawanikawo Erioenai naMaaseya naIshimaeri naNetaneri naJozabhadhi naErasa. KuvaRevhi: kwakawanika kuina Jozabhadhi naShimei naKeraya (Keraya uyu ndiye wakareyo Kerita) uye Petahiya naJudha naEriezero Kuvaimbi: uku kuna Eriyashibhu Kuvachengetedzi vepamisuo: mikuru kwaivawo naSharumu naTeremu naUri. Kune vokwaIsiraeri: kuvanakomana vokwaParoshi: ndiRamia naIzia naMarukiya naMijamini naEreazari naMarukiya naBhenaya. Kuvanakomana vokwaEramu: kuna Mataniya naZekariya naJehieri naAbhudhi naJeremoti naEriya. Kuvanakomana vokwaZatu: kwaiva naErioenai naEriyashibhu naMataniya naJeremoti naZabhadhi naAziza kuvanakomana vokwaBhebhai: ndiJehohanani naHananiya naZabhai naAtirai Kuvanakomana vokwaBhani: ndiMeshuramu naMaruki naAdhaya naJashubhu naSheari naJeremoti Kuvanakomana vokwaPahatimoabhu: kwakawanikwa kuina Adhina naKerari naBhenaya naMaaseya naMataniya naBhezarieri naBhinui naManase Kuvanakomanawo vokwaHarimu: kwaiva naEriezero naIshiya naMarukiya naShemaya naShimeoni naBhenjamini naMaruki naShemariya Kuvanakomana vokwaHashumu: kuna Matenai naMatata naZabhadhi naErifereti naJeremai naManase naShimei Kuvanakomana vokwaBhani: kwaivawo naMaadhai naAmuramu naUeri naBhenaya naBhedheya naKeruhi naVhaniya naMeremoti naEriyashibhu naMataniya naMatenai naJaasu Kuvanakomana vokwaBhinui: kwaiva naShimei naSheremiya naNatani naAdhaya naMakinadhebhu naShashai naSharai naAzareri naSheremiya naShemariya naSharumu naAmariya naJosefi Kuvanakomana vokwaNebho: kukawanikwa kuna Jeieri naMatitiya naZabhadhi naZebhina naJadhai naJoeri naBhenaya. Vose ivava vakanga varoora vakadzi vechirudzi vakavapa vana. Zvino idzi ndidzo nyaya dzaNehemiya mwanakomana waHakariya. Zvino zvakaitika kuti mumwedzi waKisirevhu mugore rechimakumi maviri ndiri muguta guru reSusa, hama yangu Hanani akasvikako achibva kwaJudha aina vamwe varume. Ini ndakamubvunza nezvevaJudha vakanga vachiri vapenyu vaye vakapunyuka muutapwa uyewo nezveJerusaremu. Iye akandipindura achiti, “Vapenyu vacho vari uku kunyika iyoyo vakapunyuka muutapwa vaye, vari munhamo huru kwazvo inonyadzisa. Rusvingo rweJerusaremu rwakapazirwa pasi, misuo yaro mikuru ikaroromeswa nomoto.” Pandakanzwa mazwi iwaya ndakagara pasi ndikahwihwidza kuchema ndichiungudza kwamazuva akati kuti. Ndakaramba ndichitsanya ndichinamata kuna Mwari Wedenga ndichiti, “Tenzi, Mwari Wedenga. Muri Mwari mukuru anotyisa anochengeta chitenderano chake navanomuda vanochengeta mitemo yenyu. Tarisaiwo nemeso enyu muone, murerekere zvenyu nzeve yenyu munzwe munamato wangu ini muranda wenyu wandava kuita mberi kwenyu siku nesikati ndichinamatira vanhu veIsiraeri varanda venyu ndichireurura zvitadzo zvavanhu veIsiraeri zvatakakutadzirai nazvo, zviri zvokutadza izvi ini namadzibaba emhuri yokwangu, takatadza. Takakutadzirai zvokutadza zviya. Hatina kuchengeta mitemo nemirao nezvirevo zvamakaudza muranda wenyu Mosesi. Moyeukawo chirevo chamakareva kune muranda wenyu Mosesi muchiti, ‘Kana imi mukazova vanhu vasina kutendeka, ini ndichazokumwararidzai mukati memarudzi. Asi mukange mazotendeukira kwandiri mukateerera mitemo yangu moichengeta kunyange zvazvo manga makamwararidzirwa kure kwakaperera denga chaiko; ndichazovakokorodza ikoko ndouya navo kunzvimbo yandakasarudza kuti ndiise zita rangu ipapo.’ Varanda venyu ava, vanhu venyu vamakanunura namasimba enyu makuru noruoko rune simba. Nhai Tenzi rerekeraiwo nzeve yenyu kumunamato weni muranda wenyu nokumunamato wavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu. Muitewo kuti ini muranda wenyu ndibudirire nhasi uno, mupewo kuti ndiitirwe tsiye nyoro nomurume iyeyu.” Izvozvo ndini ndaiva wokuona nezvewaini yokwamambo. Mumwedzi waNisani mugore rechimakumi maviri rokutonga kwamambo Atakizesesi, akagadzikirwa waini ini ndakachera waini ndikaiperekera kuna mambo. Zvino ndakanga ndisati ndambosuruvara paari. Mambo akanditi, “Uso hwako hwakangosuwa-suwa neiko kudai? Inga hausi kurwara wani? Hapana chimwe apa asi kusuruvara mwoyo uku.” Ndakatya zvikuru kwazvo. Ndakapindura mambo ndichiti, “Mambo zvoumambo hwenyu ngazvirambe zvakadaro. Chingatadzise uso hwangu kusuruvara chii iro guta rina makuva amadzibaba angu rakadaro kuita dongo. Misuwo yaro mikuru yakaroromeswa kutsva nomoto kudaro.” Mambo akanditi, “Chichemo chako ipapa ndechei?” Ini ndakati namatei zvangu kuna Mwari Wedenga, ndokupindura mambo ndichiti, “Kana zvichikufadzai, mambo uye kana manzwireni muranda wenyu tsitsi nditumirei zvangu kwaJudha kuguta remakuva amadzibaba angu ndindorivakazve.” Mambo akati kwandiri, izvozvo vahosi vakanga vagere zvavo munyasi mavo, “Uchaveko kwenguva yakadii? Kudzoka uchadzoka rini?” Mambo akazviona zviri zvinhu zvakanaka akandituma, ndikatarirana naye nguva yacho. Ndakati kuna mambo, “Kana zvichikufadzai mambo dai mukati ndipiwe matsamba anonyorerwa magavhuna enyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuretesi kuti vandirege ndichipfuura nomavo kudzamara ndasvika kwaJduha netsambawo inonyorerwa Asafu, muchengeti wesango rokwamambo yokuti andipe matanda okugadzirisa mapango epamusuwo enhare yeTemberi uye erusvingo rweguta neemba yandichagara.” Mambo akandipa zvandakakumbira nokuti ruoko rutsvene rwaMwari wangu rwakanga rwuri pandiri. Ndakaenda kumagavhuna okunyika yekuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi ndikavapa matsamba amambo. Izvozvo mambo akandituma navakuru vakuru vekuhondo navachairi vamabhiza. Izvozvi pazvakasvika munzeve dzaSanibharati muHoroni nerimwewo jinda rainzi Tobhiya muAmoni zvakavatsamwisa kwazvo kuti kune mumwe atouya achivavarira kuti zvinhu zvifambire vanhu vechiIsiraeri zvakanaka vabudirire. Saizvozvo ndakasvika kuJerusaremu ndikagarako mazuva matatu. Ndakamuka usiku ini navamwe varume vashomanini. Hapana wandainge ndaudza zvakanga zvaiswa mupfungwa dzangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu. Ndakanga ndisina chimwe chipfuwo kusiya chandakanga ndakatasva. Ndakabuda usiku ihwohwo napasuo rokuBani ndakananga kutsime reMakava nokusuo rokuMarara ndichiongorora tsvingo dzeJerusaremu dzakanga dzakoromorwa nemisuo yaro mikuru yakanga yaparadzwa nomoto. Ndakazoenda kusuo guru reChisipiti nokuDziva raMambo asi pakanga pasina mukana wokuti chipfuwo chandakanga ndakatasva chipfuure napo. Ndopandakazokwira nebani usiku ihwohwo ndichiongorora rusvingo. Ndakadzoka ndokupinda nepasuo guru rokuBani ndokudzoka zvangu. Makurukota haana kuziva kwandakanga ndaenda kana zvandaiita. Ndakanga ndisati ndataurira vaJudha kana vapristi nevekumbahuru, kunyange machinda kana vamwe vose vaizoita basa iro. Ndopandakazovataurira kuti murikungoonawo dambudziko ratinaro rokuti Jerusaremu rangova dongo kudai, Misuo yaro mikuru yakapiswa. Uyai tivakire Jerusaremu rusvingo tirege kunge ticharamba tiri vanhu vakafumuka. Ndakavataurira nezveruoko rwaMwari wangu rwaiva pandiri kuti zvindifambire zvakanaka namazwiwo andakataurirwa namambo. Ivo vakati, “Ngatisimukei tivake.” Vakagwinyisa maoko avo kuita basa rakanaka. Asi Sanibharati muHoroni nejinda riya Tobhiya muAmoni naGeshemu muArabhu pavakazvinzwa vakatisveeredza vachitishora vachiti, “Chamuri kuita ndochii ichochi? Kupandukira mamboka uku?” Ndakavapindura ndichiti, “Mwari wedenga ndiye achaita kuti tibudirire. Isu varanda vake tichasimuka tivake, chenyu imi muJerusaremu hapana, ungave mugove zvawo kana chamungatiwo zvacho chenyu kunyange chirangaridzo zvacho.” Eriyashibhi mupristi mukuru akasimuka nehama dzake dzechipristi vakandovakazve suo guru reHwai. Vakariteketerera kuna Mwari vakariisa magoni. Chimbimbi chavakateketerera ichi chaibvira pariri chichisvika kunharirire yeZana chichindosvikawo kuNharirire yeHananero. Vakagamhwa navarume vokuJeriko kuvaka kumberi kwacho ndokugamhwawo kuvaka kumberi naZakuri mwanakomana wokwaImuri. Vanakomana vokwaHasenaa vakavaka suo guru reHove. Vakaisa magwatidziro aro vakaisawo magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. Kubva ipapo, Meremoti mwanakomana wokwaUriya mwana waHakozi ndiye akagadzira zvichienda mberi. Mberi kwaiyeyu kukavakwa naMeshuramu mwanakamana waBherekiya mwana wokwaMeshezabheri. Pamberi pacho pakagadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhaana. VokuTekoa ndovakavakawo chidimu chaitevera uyu asi vakuru vakuru veko havana kutakura basa ravakapiwa namadzishe avo. Joyadha mwanakomana waPaseya naMeshuramu mwanakomana waBhesodheya ndivo vakagadziridza suo guru reChinyakare. Vakaisa magwatidziro aro vakaisa magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. Mberi kwaivava kwakagadzirwa naMeratiya wokuGibheoni naJadhoni wechiMeroni navarumewo vokuGibheoni nevokuMizipa vakanga vachitongwa nagavhuna wenyika yokuMhiri kwerwizi rwaYufuratesi. Uzieri mwanakomana waHarihaya mhizha yendarama ndiye akagadzirawo mberi kwake. Akagamhwawo kuvaka mberi kwake naHananiya mumwe wavagadziri vemafuta anonhuwirira. Vakagadziridza Jerusaremu kusvikira kuRusvingo rwaKapamhama. Mberi kwaivava kwakaitwawo naRefaya mwanakomana waHuru mutongi wechimwe chikamu cheJerusaremu. Jedhaya mwanakomana waHarumafu ndiye akagadzira mberi kwavo pakanangana nepamba pake. Ndokuteverwawo naHatushi mwanakomana waHashabhuneya. Marikiya mwanakomana waHarimu naHashubhu mwanakomana waPahatimoabhu vakavakazve chimwe chimbimbi chacho neNharirire yeZvoto. Akateverwa naSharumu mwanakomana waHaroheshi mutongi wechimwe chikamu cheJerusaremu kugadzira kwacho iye navakunda vake. Hanuni navagari vokuZanoa vakagadziridza suo guru rokuBani. Vakarivakazve vakariisa magonhi aro nezvihuri zvaro nomazariro aro. Vakagadzira chimbimbi chorusvingo chinoita mazana mana emamita ane mamita makumi mana kusvikira pasuo guru roKumarara. Marikiya mwanakomana wokwaRekabhu mutongi wedunhu reBhetihakeremu akagadziridza suo guru rokuMarara. Akarivakazve akariisa magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. Sharumu mwanakomana wokwaKoruhoze mutongi wedunhu reMizipa akagadziridza suo guru reChisipiti. Akarivakazve akariturika denga akaisawo magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. Akavakawo rusvingo rwokudziva reShera romubindu ramambo kusvikira kumadanho anodzika kuburuka muguta raDhavhidhi. Akagamhwawo kuvaka naNehemiya mwanakomana waAzibhuku mutongi wechimwe chikamu chedunhu reBhetitsuru akagadzirawo kusvika pakatarisana namakuva okwaDhavhidhi kudzamara kundosvika kuDziva riya rakaitwa navanhu kusvikawo kumba yemagamba. VaRevhi vakagadzira chimbimbi chaitevera uyu ndeava vanoti: Rehumu mwanakomana waBhani tevere Hashabhiya mutongi wedunhu reKeira akavaka akamiririra dunhu rake. Ndopanouyawo hama dzavo idzi dzaiti Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi mutongi wechimwe chikamu chedunhu reKeira kwouya Ezero mwanakomana waJeshua mutongi weMizipa. Ndiye akagadziridza chimwe chimbimbi chepakatarisana nokunochengeterwa zvombo zvehondo pamukwidza kana kuti kona. Achiteverwa kuvaka chimwewo chacho naBharuki mwanakomana waZabhai akagadziridza kubvira paKona ipapo kusvikira kumusuo wemba yaEriyashibhi mupristi mukuru. Akateverwawo naMerimoti mwanakomana wokwaUriya mwanakomana waHakozi akagadziridza chimwe chidimu kutangira kumusuo wemba yaEriyashibhi kusvikirawo panoperera imba yacho yaEriyashibhu. Aiteverwawo pakugadziridza uku navapristi vakanga vakamira vakadai izvi: paiti varume vomunharaunda iyoyo kwouya Bhenjamini naHashubhu, ava vakagadziridza pakanga pakatarisana nepane dzimba dzavo tevere Azariya mwanakomana waMaaseya mwanakomana waAnaniya akagadzirawo parutivi pemba yake achiteverwawo naBhinai mwanakomana waBhenadhadhi akagadzirawo chimwewo chidimu chacho kubvira pamba paAzariya kudzamara paKona paye kusvikirawo paye panotenderera. Pararu mwanakomana waUzai akagadzirawo pakatarisana napaKona pacho nepanharirire iya inooneka pamusoro pemba yamambo yapamusoro iya munhandare yavachengetedzi. Aiteverwa naPedhaya mwanakomana waParoshi nevashandi vepatemberi vainge vachigara kuOferu, vakagadziridzawo kubva ipapo kusvikira pakatarisana nesuo guru rokumvura kumabvazuva nenharire iya inoonekwa nepamusoro. Ndopanozouyawo vanhu vokuTekoa, vakagadziridza chimwewo chimbimbi kubvira pakatarisana nezinharirire guru riye raionekwa nepamusoro kusvika kuRusvingo rwaOferu. Kumusoro kwesuo guru reMabhiza kwakagadziridzwa navapristi mumwe nomumwe pakatarisana nepamba pake. Vaiteverwa naZadhiki mwanakomana waImeru vakagadziridza pakanga pakatarisana nepamba pake. Vaiteverwawo naShemaya mwanakomana waShekaniya muchengetedzi wepasuo guru rokuMabvazuva akagadziridzawo. Akagamhwawo naHaniya mwanakomana waSheremiya naHanu mwanakomana wechitanhatu waZarafu kugadziridza chimwewo chikamu. Aiteverwa naMeshuramu mwanakomana waBherekiya akagadziridzawo pakatarisana nepaaigara. Aimutevera ndiMarikiya mumwe wemhizha dzezvendarama akagadziridzawo kubvirapo kusvikira kudzimba dzavashandi vepatemberi nedzevanhu vemhindu dzokutengesa zvinhu pakatarisana nesuo guru rokuOngororera vanhu nokukamba kepamusoro kekukona. Mhizha dzezvendarama nevemhindu dzokutengesa zvinhu vaye vakagadzirawo chimbimbi chokubva pakamba kepamusoro kekukona kuya kusvikira kusuo guru reHwai. Zvino pakanzwa Sanibharati kuti tavakuvaka rusvingo akashatirwa akapaka nehasha akashora vaJudha. Akataura pameso pehama dzake nehondo yeSamaria achiti, “Ko tundonda twechiJudha twavakuiteiko izvozvi? Tungagadziredzewo chinhu here? Kutozopirawo nhai chaizvo chibayiro chaicho? Vanozvipedza nezuva rimwechete izvozvi? Vangagadziridze nhai mabwe akangoti pamwechete nemarara mirwi chu namamwe akatsva aya?” Tobhiya muAmoni waakanga anaye akati, “Zvavari kuvaka zvachoka kana gava zvaro rikakwirapo rinotokoromotsera pasi masvingo iwayo.” “Nhai Mwari wedu, chinzwaiwoka munzwe. “Kushorwa kwatiri kuitwa. Itai kuti rushambwa rwacho rwavareva ruvapfukire ivo vakare muite kuti vapambwe kunyika yavanenge vari muutapwa. Regai kuti mhosva dzavo dzifusirwe kana kumbodzima zvako pameso penyu chitadzo chavo nokuti zvavaita izvi kutodenha hasha dzenyu ikoku pana vavaki.” Takazovaka isu rusvingo. Rusvingo rwacho rwose rwakazobatanidzwa pamwechete, kureba kwarwo kukwira mudenga rwakanga rwatosvitswa pahafu chaipo nokuti zvebasa izvi vanhu vakanga vanyatsozvida. Kuzoti Sanibharati naTobhiya navaArabhu navaAmoni navokuAshidhodhi vanzwa kuti basa rokugadziridza masvingo eJerusaremu riri kufambira mberi uye kuti makanga mapazika muri kutodzivirwa-dzivirwa, vakaviruka kwazvo nehasha. Vose pamwechete vakaita bangano rokundorwisa Jerusaremu nokumutsa manyongori imomo. Takanamata kuna Mwari wedu tikaisa vagariri siku nesikati vokudzivirira. Asi Judha yakati: “Vabasa vokutakura, simba rava kuita shoma, ukuwo mavhu okukoromoka aye kuungana hewo matutu matutu, kuti tivake rusvingo, tava kutozvitadzirira isu.” Vavengi vedu vaiti, “Ngativasvikirei pasina chavari kuziva vasingatione tingoerekana tava pakati pavo chaipo tigovauraya basa rimire.” Kuzoti kwauya vaJudha vainge vari vavakidzani navo vakatiudza kagumi kagumi vachiti, “Chero kupi nokupi zvako kwamunotendeukira vanotimukira.” Ipapo ndakaisa vanhu vokugaririra kuseri kwerusvingo panzvimbo dzorusvingo dzakanga dzakanyanyisa kuderera vaina mapakatwa avo namapfumo avo nouta hwavo. Ndakati nde-e kutarisa ndikasimuka ndokutaurira vokumba huru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Regai zvenyu kumbovatya. Rangarirai kuti Tenzi, iyeyu mukuru, anotyisa murwire hama dzenyu navana venyu vakomana navasikana navakadzi venyu nemisha yenyu.” Vavengi vedu pavakanzwa kuti bangano racho takange tariziva uye kuti Mwari akanga arikangaidza, takadzokera tose kurusvingo munhu wose pabasa rake. Kubvira musi iwoyo chimwe chikamu chavashandi vokwangu vechirume ndovakange vava vokuita basa rokuvaka chimwewo chikamu chavo vava vokunge vakabipitira mapfumo nenhoo nouta namademautare zvokuzvidzivirira nazvo muhondo. Vatungamiriri vakatsigira vose vemba yokwaJudha vainge vachivaka parusvingo. Vaye vebasa rokutakura zvinhu vainge vakati uku ruoko rumwe ruri pabasa rokuvaka uku rumwe rwakabata chombo chokurwa. Muvaki wose ainge aine bakatwa rake mumuhara muchiuno. Achivaka wokuridza hwamanda aingewo ari parutivi pangu. Ndakataurira vokuimbahuru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Basa iguru iri uye takatarangana kwazvo tiri kure nakure parusvingo pacho apa takati uyu uko uyu uko. Kwamunenge manzwa kuti ndokuri kurira hwamanda imi unganai ikoko kwatinenge tiri. Mwari wedu achatirwira.” Saizvozvo takaita basa chimwe chikamu chavo chaiswera chakabipitira mapfumo kubvira mambakwedza kudzamara nyenyedzi dzabuda. Panguva iyoyo ndakataurirawo vanhu kuti, “Munhu ngaarare mukati meJerusaremu nomushandiwo wake kuitira kuti usiku huve hwokuchengetedza, masikati ave okushanda.” Sokudaro ini nehama dzangu navashandi vangu navarume vokundichengetedza vaya vainditevera hapana akabvisa hanzu dzake munhu wese aigara akabatira muruoko zvombo zvokurwa nazvo. Zvino kwakazvomuka kuchema-chema kukuru kwazvo vanhu navakadzi vavo vachigunun'unira hama dzavo dzechiJudha. Kwaiva navamwe vaiti, “Pamwechete navana vedu vakomana navasikana kudai, tawanda isu. Dai tawanawo mbesanwa dzokudya tidyewo tigorarama.” Kukava nevamwewo vaiti, “Minda yedu nemisha yedu neminda yedu yemugirepisi tiri kutoiita rubatso kuti tiwanewo mbesanwa pamusana penzara iyoyi iyi.” Kwaivawo navamwe vaitiwo, “Isu takatokwereta mari yeminda yedu neyemindawo yedu yemigirepisi kundoteresa mutero wokwamambo. Isu tiri vanhu veropa rimwechete nehama dzedu idzodzo. Vana vedu vanongovawo vana vavo. Asi tava kutomanikidzira vana vedu vakomana navasikana kutopinda muuranda. Vamwe vanasikana vedu vakatopinda muuranda. Asi isu chokuti tiite hapana nokuti minda yedu nemindawo yedu yemigirepisi yatova zvayo yevamwe.” Ndakashatirwa kwazvo pandakanzwa kugunun'una kwavo pamwechete namazwi iwaya. Ndakazvibvunza mumwoyo zano rokuita, ndikatongesa vokumba huru namakurukota. Ndakati kwavari, “Muri kuita chimbadzo imi kuhama dzenyu, mose zvenyu iyemi.” Ndakavaunganidzira dare guru kwazvo ravanhu, ndikavati, “Isu takaedzawo napatinogona kununura hama dzedu dzechiJudha dzakanga dzatengeswa kune vechirudzi, asi imi ndopamava kutotengesa zvenyu hama dzenyu kuti isu titoita zvokuvatenga zvakare!” Vakati mwiro-o romuromo vakarishaya. Ndokubva ndati, “Zvamuri kuita izvi hazvina kunaka. Hamufaniri here kutevedza gwara rokutya Mwari kuitira kuti tirege kushorwa neveChirudzi vavengi vedu. Ini nehama dzangu nevashandi vangu tinovakweretesawo wani mari nembesanwa. Zvechimbadzo izvi, ngatiregei. Vadzoserei iye nhasi uno chaiye minda yavo nemindawo yavo yemigirepisi neminda yavo yemiorivhi nemisha yavo pamwechete nechikamu chechizana chemari nechembesanwa nechewaini namafuta eorivhi zvechimbadzo chamanga muchireva kwavari.” Ivo vakati, “Tichadzosera izvozvo pasina nechatichareva kwavari. Zvamareva ndozvatichaita.” Ndakadaidza vapristi ndichiitisa vatungamiri ivavo mhiko yokuti vaizoita sezvavakanga vatsidza. Ndakazunzawo hanzu yangu ndikati, “Mwari ngaazunze saizvozvi munhu wose anenge asina kuchengeta chitsidzo ichochi achimubvisa pamba pake nepane twake twose twaakashanda. Ngaazunzwe saizvozvo asare asisina nechinhu chose.” Dare rose rakati, “Ameni,” rikarumbidza Tenzi. Vanhu vakaita sezvavakanga vatsidza. Chimwe ndechokuti kubvira panguva yandakasarudzwa kuva gavhuna wavo munyika yokwaJudha kubvira pagore rechimakumi amviri kusvikira pagore rechimakumi matatu nepiri rokutonga kwamambo Atakizesesi; kwamakore gumi namaviri iwayo ini nehama dzangu hatina kumbenge tichidya zvokudya zvainge zvichifanira kupiwa gavhuna. Magavhuna akanditangira akanga achitakudza vanhu mitoro inorema vachitovatorera zvokudya newaini pamwechete namakumi mana emari yesirivha yamashekeri. Kunyangova vashandi vavo, vaitoremedzawo kwazvo vanhu. Asi ini handaiita saizvozvo pamusana pokutya Mwari. Ndakangotiwo sika sika nebasa rorusvingo urwu ndikarega kuzviwanirawo munda. Vashandi vokwangu vose vakangawo vakaunganidzana ikoko kubasa iroro. Chimwewo ndechokuti vaidya pamwechete neni pateburu yangu, vaiva varume zana namakumi mashanu vechiJudha namakurukota pamwechete navaiuya kwatiri vokumarudzi akanga akatipoteredza. Zvino pazuva paibayiwa izvi zvinoti: mombe imwechete nehwai nhanhatu dzakakora. Ndaibayirwawo huku ndichiwaniswa maguchu amatehwe ewaini yakawanda kwazvo pazuva roga roga rechigumi. Asi kunyange zvakadaro zvazvo handina kumboti nditopiwawo chete zvokudya zviya zvainge zvichifanira kupiwa gavhuna pamusana pokuti vanhu vainge vachitova kare nemutoro inorema. Ndiyeukeiwo ini Mwari kuti zvinhu zvindifambirewo zvakanaka pamusana pezvandakaitira vanhu ava. Zvino pazvakasvitswa munzeve dzaSanibharati naTobhiya naGeshemu muArabhu nomunzeve dzavamwe vavengi vedu vose kuti ndakavaka rusvingo, uye kuti pakanga pasisina kana gwanza zvaro (kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndasungirira makonhi pamisuo mikuru yeguta), Sanibharati naGeshemu, vakanditumira shoko rokuti, “Uya tisangane kune mumwe musha uri mubani reOno.” Asi zvavakanga vafunga ndezvokundikuvadza. Asi ini ndakavatumira nhume ndichiti, “Ndiri mukuita basa guru. Handikwanise kudzika ikoko. Basa ringamirireiko? Ndosiya zvangu basa ndichiuya kwamuri here?” Vakatumira shoko kwandiri nomutoo mumwechetewo kanosvika kana, ini ndikavapindurawo zvimwechetezvo. Nenzira imwecheteyo Sanibharati akanditumira kechishanu muranda wake netsamba muruoko yakanga yakazaruka. Mairi makanga makanyorwa kunzi “Pane runyerekupe ruri kufamba muvanhu kana Geshemu ari kuzvitaurawo kuti iwe nevaJudha munoda kupanduka, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Zvinonzi norunyerekupe irworwo, iwe unoda kuva mambo wavo. Uyewo wakatosarudza vaporofita. Iwe wakagadza vaporofita vokuparidza nezvako muJerusaremu vachiti, ‘Munyika yaJudha mave namambo.’ Zvino shoko irori rakaita saizvozvi rava kundosvitswa kuna mambo. Saka iwe uya titaurirane.” Ini ndakatumira shoko kwaari ndichiti, “Zvauri kutaura izvo, hapana zvakamboitika zvakadaro, ndezvomusoro wako zvauri kutoita zvako iyewe.” Nokuti vose zvavo vaida kutityisidzira vachifunga kuti pabasa irori maoko edu anobva arengwendeka, richibva raregwa kuitwa, asi imi Mwari simbisai maoko angu, ini ndokubva ndagwinyisa maoko. Zvino pandakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya aberekwa naMehetabhieri akanga akapfigirwa akati, “Ngatisanganei mumba yaMwari mukati chaimo meTemberi tizarire magonhi eTemberi nokuti vari kuuya kuzokuuraya vari kuuya usiku kuzokuuraya.” Asi ini ndakati, “Murume akaita seni kudai, kutiza here chaizvo? Pangu pano ndingapindewo muTemberi nhai ndikatorarama? Handipindemo ini.” Ndakazvinzwisisa ndikaona kuti Mwari haana kunge amutuma, asi shoko raandiporofitira iri pamusana paTobhiya naSanibharati, vakanga vamutenga. Ndozvavakamutengera izvozvo kuti ini nditye, ndiite saizvozvo, ndiparamure chitadzo, vagondipa zita rakaipa vachindifumura. “Mwari wangu rangarirai Tobhiya naSanibharati nezvinhu zvavakaita izvi murangarirewo mukadzi uyu muporofita Noadiya navamwe vaporifita vose vanoda kundipa mweya wokutya.” Saizvozvo rusvingo rwakapera kuvakwa mumazuva anoita makumi mashanu namaviri, pazuva ramakumi maviri nechishanu remwedzi waEruru. Vavengi vedu vose pavakazvinzwa marudzi ose omunharaunda yedu, akatya, akaona kuti zvokutiwo tinzi vanhu hapasisina chaizvo, nokuti vakanga vaonawo kuti basa irori rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu. Pamazuva iwayo pakavawo nokunyorerana matsamba mazhinji. Vekumba huru kwaJudha vakanyorera Tobhiya, iye Tobhiya achivanyorerawo nokuti vazhinji maJudha imomo vakanga vakabatana naye nemhiko pamusana pokuti iye aiva mukuwasha waShekaniya mwanakomana wokwaAra. Mwanakomana wake Jehohanani akanga aroorawo mukadzi wake aiva mwanasikana waMeshuramu mwanakomana waBherekiya. Vaiita huyakwose yokuti ndiripo kudai vainditaurira zvakanaka zvaainge aita vachindomuudzawo zvandainge ndareva. Tobhiya akanditumirawo matsamba okuti nditye. Kuzoti zvino rusvingo rwavakwa kudaro, ndaisawo magonhi acho navachengetedzi vapamisuo mikuru, navaimbi navaRevhi vasarudzwa, ndakapa munun'una wangu Hanani naHananiya mutongi wakamuzinda kavarwi vehondo basa rokuona nezveJerusaremu pamusana pokuti aiva munhu ari pachokwadi uye anotya Mwari kupinda vazhinji. Ndakavati, “Misuo mikuru yeJerusaremu ngairege kuzarurwa kusvikira kwadziya. Pavanengewo vachiri kuchengetedza kudaro ngavapfige vaise mazariro kumagonhi acho. Sarudzai vokuchengetedza muvagari vomuJerusaremu mumwe nomumwe pake pokugaririra mumwe nomumwe ari pakatarisana nemba yake.” Guta rakanga rakafara riri guru, asi vanhu vakanga varimo vaiva vashoma kusina dzimba dzakanga dzati dzavakwa. Mwari wangu akaisa pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndiunganidze vokumba huru namakurukota navanhu kuti vanyorwe mazita chizvarwa nezvizvarwa. Ndakawana bhuku rina mazita ezvizvarwa zvavanhu zvavakatanga kuuya vaye, ndikawana makanyorwa kunzi: Havanoi vanhu venyika ino vakakwira kuuya vachibva kuutapwa panhapwa dziya dzakanga dzambotapwa dzikatamisirwa kusi kwadzo naNebhukadhinezari mambo weBahabhironi, vakadzokera muJerusaremu nokwaJudha, munhu wose kuguta rokwake. Vakauya naZerubhabhero naJeshua naNehemiya naAzariya naRaamiya naNahamani naModhekai naBhirishani naMisipereti naBhigivhai naNehumu naBhaana. Uhu ndihwo huwandi hwavarume vokwaIsiraeri: Vanakomana vokwaParoshi zviuru zviviri zvavanhu zvina makumi manomwe ana vaviri vokwaShefatiya mazana matatu ane makumi manomwe ane vaviri vokwaAra mazana matanhatu ane makumi mashanu ana vaviri Vanakomana vokwaPahatimoabhu vari vokwaJeshua naMoabhu zviuru zviviri zvina mazana masere ane gumi navasere vokwaEramu chiuru china mazana maviri ana makumi mashanu ana vana vokwaZatu mazana masere ana makumi mana navashanu vokwaZakai mazana manomwe ana makumi matanhatu vanakomana vokwaBhinui mazana matanhatu ana makumi mana navasere vokwaBhebhai mazana matanhatu ana makumi maviri navasere vokwaAzigadhi zviuru zviviri zvina mazana matatu ane makumi maviri ana vaviri vanakomana vokwaAdhomikamu mazana matanhatu ana makumi matanhatu navanomwe vokwaBhigivhai zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe vokwaAdhini mazana matanhatu ana makumi mashanu ane vashanu vanakomana vokwaAteri vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe navasere vokwaHashumu mazana matatu ana makumi maviri ana vasere vokwaBhezai mazana matatu ana makumi maviri ana vana vokwaHarifi zana negumi navaviri vanakomana vokwaGibheoni makumi mapfumbamwe ana vashanu vokuBheterehemu nevokuNetofa zana namakumi masere ana vasere vokuAnatoti zana namakumi maviri ana vasere vokuBhetiazimavheti makumi mana ana vaviri vokuKiraitijearimu nokuKepfira nokuBheeroti mazana manomwe ane makumi mana navatatu vokuRama nokuGebha mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete vokuMikimashi zana namakumi maviri ana vaviri vokuBhetieri neAi zana namakumi maviri ana vatatu vokune imwe Nebho makumi mashanu navaviri vokune imwe Eramu chiuru china mazana maviri ane makumi mashanu navana vokuHarimu mazana matatu ana makumi maviri vokuJeriko mazana matatu ane makumi mana navashanu vokuRodhi nokuHadhidhi nokuOno mazana manomwe ana makumi maviri nomumwechete vokuSenaa zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe ana makumi matatu. Vapristi: vana vokwaJedhaya vakomana vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu vokwaImero chiuru namakumi mashanu ana vaviri vokwaPashihuru chiuru namazana maviri ana makumi mana navanomwe vokwaHarimu chiuru negumi navanomwe. VaRevhi: vana vokwaJeshua vakomana vemba yokwaKadhimieri vari vokwaHodhevha vaiva makumi manomwe ana vana. Vaimbi: vana vokwaAsafu: zana namakumi mana ana vasere. Vachengetedzi vapamisuo mikuru: vana vokwaSharumu vakomana naAteri naTarimoni naAkubhu naHatita naShobhai vaiva zana rimwechete rine makumi matatu nevasere. Vashandi vapaTemberi vaiva vanakomana vaava vanoti: Ziha naHasufa naTabhaoti naKerosi naSiya naPadhoni naRebhana naHagabha naSharumai naHanani naGidheri naGaheru naReaya naResini naNekodha naGazamu naUza naPesea naBhesai naMeunimu naNefusimu naBhakibhuku naHakufa naHarihuru naBhaziruti naMehidha naHarisha naBharikosi naSisera naTema naNezi naHatifa. Vanakomana vavaranda vokwaSoromoni paiva nevokwaSotai naSofereti naPeridha novokwaJaara naDharikoni naGidheri novokwaShefatiya naHatiri naPokeretihazibhaimu naAmoni. Ivava vashandi vapaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ane makumi mapfumbamwe navaviri. Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhoni nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzemadzibaba avo uye kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete. Vakanga vari vanakomana vaava vanoti: Deraya naTobhiya naNekodha. Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri. Pakati pavapristi paivawo navanakomana vaava vanoti: Hobaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uyu ndiye uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita rake). Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa, asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi apa, vakanzi vakan'ora. Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa kuti Mwari anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu. Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri zvine mazana matatu ana makumi matanhatu avanhu. Tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaina vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri ana makumi mana navashanu. Vaiva namabhiza avo mazana manomwe ana makumi matatu ana matanhatu, nemanyurusi avo mazana maviri ana makumi mana namashanu. Kwozouya ngamera dzavo mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri. Zvino vamwe vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo vakapa zvipo zvokubatsira pabasa iri. Gavhuna akabvisawo ndarama inorema makirogiramu angangoita masere nembenge makumi mashanu namagemenzi mazana mashanu ane makumi matatu avapristi zvikaendeswa maichengeterwa upfumi. Izvozvo vamwe vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakabvisa ndarama yainge yoda kuita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu namasere, nesirivha yainge tani rimwechete rina makirogiramu mazana maviri namakumi mashanu, namagemenzi makumi matanhatu ana manomwe avapristi, vakaendesa maichengeterwa upfumi hwainge hwakanangana nebasa iroro. Zvakabviswawo nevamwe vanhu vose ndezvizvi izvi zvinoti: ndarama ingangoita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu ana masere, nesirivha yainge makirogiramu zana nemakumi mana, namagemenzi makumi matanhatu namanomwe avapristi. Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo. Vanhu vose vakazoungana vaine chinangwa chimwe munhandare pamberi pesuo guru rokuMvura. Vakataurira Ezira nyanzvi yomutemo kuti aunze bhuku romutemo waMosesi wakanga wapiwa kuvaIsiraeri naTenzi. Mupristi Ezira akaunza mutemo iwoyo pamusi wechiposhi wemwedzi wechinomwe kugungano revanhu, varume navakadzi, nevaigona kunzwisisa. Akariverenga akatarisa munhandare iri pamberi pesuo guru rokumvura kubvira kuchangoedza kudzamara masikati makuru munzeve dzavarume navakadzi nevaigona kunzwisisa, izvozvo vanhu vose vakanga vakateya kwazvo nzeve kunzwa bhuku romutemo. Ezira nyanzvi yomutemo akamira padara rakanga ravakirwa izvozvi izvi. Vakanga vamire naye kurudyi ndaava vanoti: Matatiya naShema naAnaya naUriya naHirikiya naMaaseya; kuruboshwe: ndiPedhaya naMishaeri naMarikiya naHashumu naHashibhadhana naZekariya naMeshuramu. Ezira akazarura bhuku racho vanhu vose vachiona, nokuti akanga ari nechapamusoro pavanhu vose. Paakangoriti zarurei vanhu vose vakabva vati nyandanu kusimuka. Ezira akarumbidza Tenzi, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ameni! Ngazvive saizvozvo,” vachisimudza mudenga maoko avo. Vakakotamisa misoro yavo vachipfugamira Tenzi, uso hwavo vakati pasi kota kota. Kwouya Jeshua naBhani naSherebhiya naJamini naAkubhu naShabhetai naHodhiya naMaaseya naKerita naAzariya naJozabhadhi naHanani naPeraya vokwaRevhi, vakatsanangurira vanhu mutemo iwoyo. Vanhu vakaramba vamire munzvimbo dzavo. Vakanyatsoverenga mubhuku romutemo waMwari, ndokutsanangurira vanhu kuti vanzwisise zvaiverengwa. Nehemiya aiva ari gavhuna, nomupristi Ezira nyanzvi yomutemo, nevaRevhi vaifundisa vanhu vakati kuvanhu vose, “Zuva irori izuva raTenzi, Mwari wenyu rinoera, regai kuchema kana kuungudza.” Chaivapo ndechokuti vanhu vose vakachema pavakanzwa mashoko omutemo. Akavati, “Chiendai zvenyu munodya kudya kwakanaka, munwe zvenyu waini inonaka, mupewo vasina chavanacho chakagadzirirwa, nokuti zuva ranhasi izuva raTenzi wedu rinoera. Musasuruvare nokuti rufaro rwaTenzi ndiro simba renyu.” Saizvozvo vaRevhi vakanyaradza vanhu vose vachiti, “Nyararai zvenyu nokuti zuva ranhasi izuva rinoera, zvokusuruvara, chiregai.” Vanhu vose vakazoenda zvavo kundodya nokunwa nokutumirana zvipo vachipembera kwazvo nokufara pamusana pokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakanga vaudzwa. Pazuva rechipiri racho, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba evanhu vose ivavo pamwechete navapristi nevaRevhi vakaunganidzana kuna Ezira nyanzvi yomutemo kuzodzidza zvinorehwa nomutemo. Vakawana mumutemo wakapiwa naTenzi nokuna Mosesi uya makanyorwa kuti: Vanhu veIsiraeri vanofanira kugara mumatumba panguva yemazuva makuru omumwedzi wechinomwe, uye vanofanira kutaurira vanhu nokuzivisa mumaguta avo ose nomuJerusaremu kuti, “Endai muzvikomo muuye namasanzu emiorivhi neemiorivhi yomusango neomumirite neemurara neemimwewo miti ine mashizha mazhinji okugadzirisa matumba sokunyorwa kwazvakaitwa.” Saizvozvo vanhu vakabuda vakandouya nawo, munhu woga woga akazvigadzirira dumba vamwe pamatenga emba dzavo nomunhandare yokusuo guru rokuMvura nomunhandarewo yokuSuo Guru rokwaEfuremu. Gungano rose revanhu vakadzoka vachibva kuutapwa vaye vakazvigadzirira matumba vakagara mumatumba imomo nokuti kubvira mumazuva aJoshuwa mwanakomana waNuni kusvikira musi iwoyo, vanhu veIsiraeri vakanga vasati vambozviita, pakafarwa zvokufara zviya. Zuva nezuva kubvira pamusi wokutanga kusvikira pane wokupedzesera aiverenga muBhuku roMutemo waMwari. Vakachengeta mazuva makuru iwayo kwemazuva manomwe, pazuva rechisere pakaitwa musangano mutsvene wezvokunamata maererano nezviri pamurao. Kuzoti wava musi wechimakumi maviri nechina womwedzi iwoyu, vaIsiraeri vakaungana kuzotsanya vakapfeka masaga vakazvidira ivhu. VaIsiraeri vakazvitsaura kuvanhu vechirudzi vakasimuka vakareurura zvitadzo zvavo nouipi hwamadzibaba avo. Vakamira munzvimbo dzavo vakaverenga muBhuku roMutemo waTenzi, Mwari wavo kwamaawa matatu pazuva. Kwamamwe maawa matatu acho vakareurura vakapfugamira Tenzi, Mwari wavo. Pakakwirira paya pevaRevhi, pakanga pakamira ava vanoti: Jeshua naBhani naKadhimieri naShebhaniya naBhuni naSherebhiya naBhani naKenani vakachema vachiita zvokudaidzira kuna Tenzi, Mwari wavo. VaRevhi ava vanoti: Jeshua naKadhimieri naBhani naHashabhuneya naSherebhiya naHodhiya naShebhaniya naPetahiya vakati, “Simukai murumbidze Tenzi, Mwari wenyu. Murumbidzei narini narini wose kusvikira nokusingaperi. Ngarirumbidzwe zita renyu rina mukurumbira Riri pamusorosoro chaipoipo pazvose zvinokudzwa kana kurumbidzwa.” “Imi moga ndimi Tenzi. Ndimi makasika matenga nedenga rokumatengatenga negurusvusvu nezvinhu zvaro, nyika nezvose zviri mairi makungwa nezvose zviri maari Imi ndimi munozvichengeta, gurusvusvu romudenga rinokugwadamirai. “Imi Tenzi Mwari ndimi makasarudza Abhuramu, mukamuburitsa kuUru yevechiKaradhea mukazoti zita rake rinzi Abhurahamu. Pamakaonawo kuti iye, munhu ane mwoyo uri pachokwadi kwamuri makaita chitenderano naye chokupa vana vake nyika yavanhu vechiKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navachiJebhusi navaGirigashi. Makazadzisa chitsidzo chenyu pamusana pokuti imi makarurama. “Makaona nhamo yakaona madzibaba edu muIjipiti mukanzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku. Makaitira Farao zviratidzo nezvishamiso pamwechete namakurukota ake navanhu vomunyika make nokuti imi maizviziva kuti vaiitira madzibaba edu zenze rokuzvikudza mukabva mazviwanira zita kusvikira pari nhasi. Gungwa makariti nepakati tsemu vakatarisa vakapfuura vachitotsika zvavo pasi pakaoma pakati paro gungwa. Makakanda vaivaronda muhwenje hwemvura sedombo mumvura zhinji ine simba. Masikati makavatungamirira negore usiku mukavatungamirira neshongwe yemoto yokuvavhenekera nzira yokufamba nayo. Makaburuka imi pagomo reSinai mukataura navo imi muri kudenga. Makavapa zvirevo zvakarurama nemitemo iri pachokwadi. Makavapawo zvirongwa nemitemo yakanaka. Makavadzidzisa nezveSabata renyu dzvene, makavapa mirao nezvirongwa nemitemo nokuna Mosesi muranda wenyu. “Panzara yavo makavapa chingwa chokudya Kupodza nyota yavo, makavapfachurira mvura ichibva padombo. Makavati vapinde kundotora nyika iya, nyika yamakatsidzira kuvapa. “Asi ivo namadzibaba edu vakazvitutumadza, Vakaomesa musoro, mirao yenyu vakaramba kuchengeta. Vakaramba kuteerera, vakakangamwa zvishamiso zvenyu, zvishamiso zviya zvamakavaitira. Vakaomesa misoro vakatosarudza mutungamiriri wokudzokera naye kuIjipiti kuuranda. Asi imi muri Mwari anoregerera, Mwari ane nyasha netsitsi Muno mwoyo murefu nomwoyochena mukuru Hamuna kuda kuvafuratira. Kunyange pavakazviumbira chimhuru choutare hwokunyungurusa Vakati, ‘Uyu ndiye Mwari wenyu Akakuburitsai kuIjipiti.’ Vakakushonhai zvikuru. Asi imi pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda hamuna kuvafuratira murenje. Shongwe yegore yaivatungamirira masikati haina kuvasiya Shongwewo yomoto yaivavhenekera mberi nzira yavaifanira kufamba nayo usiku haina kuvasiya. Makavapa Mweya wenyu wakanaka wokuvadzidzisa, Mana yenyu yokuti vadye hamuna kuvanyima Makavapawo mvura yokupodza nyota yavo. Kwamakore makumi mana makavariritira murenje. Hapana chavaishaya. Hanzu dzavo hadzina kusakara. Makumbo avo haana kuzvimba. “Makavapa ndudzi dzavanhu nenyika dzokutonga mukavagovanisa nyika, mativi ose, nezvo vakatora kuita yavo nyika yaSihoni mambo weHeshibhoni nenyikawo yaOgi mambo weBhashani. Makavapa vana vakawanda senyenyedzi dzedenga mukauya navo munyika yamakanga matsidzira madzibaba kuzopindamo vachiita yavo. “Saizvozvo vana vavo vakapinda munyika iyoyi vakaiita yavo. Makavaisira pasi pavo vagari venyika iyi vechiKanani mukavaisa mumaoko avo pamwechete namadzimambo avo navanhu vechirudzi vomunyika imomo kuti vaite zvavanoda navo. Vakakurira maguta etsvingo nenyika yakapfuma. Vakatora kuita zvavo dzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka namatsime akaitwa zvokuchenwa padombo neminda yamagirepisi nemindawo yemiorivhi nemiti yemichero yakawanda kuita machiri. Zvokudya vakadya, zvakawanda chaizvo vakanyatsoguta zvokuita miviri chaiyo Vakaita mutambaratede vagere zvavo mune zvakanaka kwazvo zvamunovapa. “Kunyange zvakadaro zvazvo havana kuteerera, vakakupandukirai. Mitemo yenyu vakakanda pasi, vakauraya vaporofita venyu vaivakurudzira kuti vatendeukire kwamuri; vakaita zvikuru zvokukushonhai. Naizvozvo imi makavaisa mumaoko avavengi vavo vakavaonesa nhamo. Panguva yenhamo yavo iyoyo vakachema kwamuri, muri kudenga ikoko makavanzwa. Netsiye dzenyu nyoro dzakawanda makavapa vanunuri vakavanunura mumaoko evavengi vavo. Asi vaiti vakange vava murugare vodzokerazve mukukutadzirai. Imi ndopamaivaisa mumaoko avavengi vavo kuti vagovatonga. Asi pavainge vazopinduka vochema kwamuri mainzwa kudenga ikoko. Netsiye dzenyu nyoro maivanunura kakawanda kwazvo. Makayambira kuitira kuti vadzokere kumutemo wenyu; ivo ndopavakazvitutumadza zvavo vakarega kuteerera mirao yenyu vakatoita zvitadzo zvokukanganisa zvirevo zvenyu zvokuti anenge achizvichengeta anorarama; vakava tsvuuramuromo kutogwikura mapendekete kuramba. Vakaomesa musoro vachiramba kuteerera. Kwemakore mazhinji maingovaitira mwoyo murefu muchingovayambira noMweya wenyu nomuromo wevaporofita venyu asi hazvina kumbovapinda munzeve. Naizvozvo imi makavaisa mumaoko emarudzi edzinyika idzi. Kunyange zvazvo zvakadaro netsiye dzenyu nyoro dzakawanda hamuna kubva mavatsakatisa kana kuvafuratira nokuti imi muri Mwari ane ngoni ane tsitsi. “Saka zvino Mwari wedu, iyemi mukuru Samasimbaose, Mwari anotyisa anochengeta chitenderano, Samwoyochena; musaone sechinhu chiduku nhamo dzakawira isu namadzimambo edu navatungamiri vedu navapristi vedu navaporofita vedu namadzibaba edu navanhu venyu vose kubvira panguva yamadzimambo eAsiria kusvikira pari nhasi. Kunyange zvakadaro zvazvo, makangoramba muri mururami pane zvose zvakadai kutiwira pamusana pokuti imi makaita zviri pachokwadi asi isu takaita zvakaipa. Madzimambo edu navatungamiriri vedu navapristi vedu namadzibaba edu havana kuchengeta mutemo wenyu kana kumboita hanya nomurao wenyu kana yambiro dzamakavayambira nadzo. Kunyange pavainge vari muumambo hwavo havana kukushandirai, vari mune zvakanaka kwazvo zvamaivapa, muzidhandanda renyika yakapfuma yamakatovaisira zvenyu pamberi pavo kupa; asi zvokusiyana nemabasa avo akaipa, havana. Hezvi nhasi uno tiri varanda kudai munyika yamakapa madzibaba edu kuti vanakirwe zvavo nemichero yayo nezvipo zvayo zvakanaka, chionai zvino, tangova varanda. Zvakawanda kwazvo zvainobereka zvinoenda zvazvo kumadzimambo amakatiisira kuti atitonge pamusana pezvitadzo zvedu. Vanotovawo nesimba rokutonga iyesu vanhu pamwechete nezvipfuwo zvedu sepamadiro avo zvavo. Tayaura isu nenhamo.” Pamusana paizvozvi zvose tinosunga chitenderano tigochinyora, vatungamiriri vedu nevaRevhi navapristi vaise pachiri chidhindo chavo choumbo. Vakaisa chidhindo chavo, ndaava ava vanoti: gavhuna wacho Nehemiya mwanakomana waHakariya kwouya Zedhekiya naSeraya naAzariya naJeremiya naPashuri naAmariya naMarikiya naHatushi naShebhaniya naMaruki naHarimu naMeremoti naObhadhiya naDhanieri naGinetoni naBharuki naMeshuramu naAbhiya naMiyamini naMaaziya naBhirigai naShemaya Ivava ndovaiva vapristi vacho. KuvaRevhi paiti: Jeshua mwanakomana waAzaniya naBhinui mumwe wevanakomana vokwaHenadhadhi naKadhimieri, nehama dzavo idzi dzinoti: Shebhaniya naHodhiya naKerita naPeraya naHanani naMika naRehobhu naHashabhiya naZakuru naSherebhiya naShebhaniya naHodhiya naBhani naBheninu. Kuvakuru vakuru ivava, paiti: Paroshi naPahatimoabhu naEramu naZatu naBhani naBhani naAzigadhi naBhebhai kwouya Adhoniya naBhigivhai naAdhini naAtero naHezekiya naAzuru naHodhiya naHashumu naBhezai kwouyawo naHarifi naAnatoti naNebhai naMagipiashi naMeshuramu naHeziri naMeshezabheri naZadhoki naJadhua kwoti Peratiya naHanani naAnaya naHoshea naHananiya naHashubhu naHaroheshi naPiriha naShobheki kwozoti Rehumu naHashabhina naMaaseya naAhiya naHanani naAnani naMaruku naHarimu naBhaana. Navamwe vanhu vosewo vaiti vapristi nevaRevhi navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi navashandi vomuTemberi navose vakazvitsaura mukati mavanhu vose vari munharaunda iyoyo pamusana pomutemo waMwari, ivo namadzimai avo navana vavo vakomana navasikana vose vaiva vabve zano vavakuziva, vose ivava vakabatana nehama dzavo dzokumba huru mukuzvisunga nechitsidzo chokuti ukarega kuchichengeta unopinda murushambwa chitsidzirano chacho ndechokuti vaizotevera mutemo waMwari waakapa nomuromo waMosesi muranda waMwari uye vachiteerera mirao yose yaTenzi wedu Tenzi pamwechete nezvirevo zvake nezvirongwa zvake. Isu hatisi kuzoroodza vana vedu kuvanhu vechirudzi venyika ino kana kuroorera vana vedu vanasikana vavo. Kana vanhu vechirudzi venyika ino vakauya nezvinhu zvokuzotengesa kana mbesanwa zvadzo uri musi weSabata, hatisiri kuzovatengera pamusi weSabata kana pane rimwewo zuva rinoera. Pagore rechinomwe roga roga tinorega minda yedu irarire zvayo isina kurimwa, uye vane zvikwereti hatichavabhadharisi. Tinozviisirawo mitemo yokuti: pagore roga roga munhu anofanira kubvisa magiramu mana emari yesirivha yeshekeri yokubatsira pamba paMwari. Tichabvisawo zvinhu zvebasa remba yaMwari zvinoti: chingwa chepana Mwari, mupiro wembesanwa wezuva nezuva, chibayiro chezuva roga roga neyemaSabata neyepakugara kwemwedzi neyepamazuva makuru akatemwa neyezvinhu zvinoera neyemipiro yokupfupira zvitadzo zveIsiraeri neyebasa rose repamba yaMwari wedu. Isuwo vapristi navaRevhi navanhu taita chin'ange kuti tione kuti imhuri ipi ichaunza huni dzokupisa paatari yaTenzi, panguva dzakatemwa gore negore, Mwari wedu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo. Tinofanira kuendesa mupiro wembesa dzokutanga dzomumunda medu nemichero yokutanga yemiti yose zvayo yomuchero wose wose gore negore kumba yaTenzi nokuendasawo kumba yaMwari nokuvapristi vanoita basa romumba yaMwari wedu, matangwe echirume pavana vedu napazvipfuwo zvedu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo nematangwewo echikono emombe dzedu neezvimwe zvipfuwo uyewo kuendesa mikanyiwa yedu yokutanga nezvimwe zvatinobvisa nomuchero womuti wose womuchero newaini namafuta eorivhi kuvapristi kudzimba dzepamba paMwari wedu, tichiendesawo kuvaRevhi zvegumi zvezvirimwa zvedu, nokuti vaRevhi ndivo vane basa rokuunganidza zvegumi zvomumaguta ose omumaruwa medu. Mupristi mwanakomana wokwaAroni anofanira kuve nevaRevhi pavanogamuchira zvegumi izvozvo. VaRevhi ivava vanozofanira kuzoendesa chegumi chezvegumi izvozvo kumba yaMwari mumba inochengeterwa zvinhu, nokuti vanhu veIsiraeri navanakomana vokwaRevhi vanofanira kuendesa mipiro yembesanwa neyewaini itsva neyemafuta eorivhi kudzimba idzodzo kune midziyo yomunzvimbo inoera navapristi vanoita basa imomo navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi. Hatingashayire hanya imba yaMwari wedu. Vatungamiriri vavanhu vaigara muJerusaremu. Vamwe vanhu vose vaitoita zvokusarudza nechin'ange munhu mumwechete pagumi ravanhu wokundogara muJerusaremu raiva riri iro guta rinoera, vamwe vapfumbamwe ava vachigara muna mamwe maguta. Vanhu vakarumbidza varume vakazvipira zvavo kundogara muJerusaremu. Ava ndivo madzishe enyika iyi aigara muJerusaremu asi mumaguta okwaJudha munhu wose aigara pamusha pake mumaguta avo imomo. Paiva navaIsiraeri navapristi nevaRevhi navashandi vapaTemberi navana vavaranda vaSoromoni. MuJerusaremu maigarawo vamwe vanakomana vokwaJudha navamwe vanakomana vokwaBhenjamini. Kuvanakomana vokwaJudha paiva: naAtaya mwanakomana waUziya, Uziya mwana waZekariya, Zekariya mwanawo waAmariya, Amariya akaberekwa naShefatiya Shefatiya mwanakomana waMaharareri Mahararerei mwana waFeresi naMaaseya mwanakomana waBharuku Bharuki akaberekwa naKoruhozeni, Koruhozeni mwana waHazaya, Hazaya mwanawo waAdhaya Adhaya mwanakomana waJoyaribhu, Joyaribhu akaberekwa naZekariya ari mwanakomana womunhu wokuShiro. Vanakomana vose vokwaPeresi, vaigara muJerusaremu vaiva varume mazana mana ana makumi matanhatu navasere dziri mvumba chaidzo dzokurwa hondo. Ava ndivo vanakomana vedzinza rokwaBhenjamini: kwaiti, Saru mwanakomana waMeshuramu Meshuramu ari mwanakomana waPedhaya, Pedhaya ari mwanakomana waKoraya Koraya mwanakomana waMaaseya Maaseya wakaberekwa naItieri, Itieri mwanakomana waJeshaya. Saru uyu aitevedzerwa naGabhai naSarai vari mazana mapfumbamwe avanhu ana vanhu makumi maviri navasere. Joeri mwanakomana waZikiri ndiye aiva mutariri mukuru wokuona nezvavo. Judha mwanakomana waHasenua aiva mutevedzeri womutongi weguta iri. Kuvapristi kwaiva naava vanoti: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhu uye Jakini naSeraya mwanakomana waHirikiya; Hirikiya uyu mwanakomana waMeshuramu, Meshuramu akaberekwa naZadhoki, Zadhoki ari mwana waMerayoti, Merayoti mwanakomana waAhitubhu mutongi wapamba paMwari. Nehama dzavo vaiva vari vokuita basa rapamba ipapo vakanga vari mazana masere namakumi maviri ana vaviri kwouya Adhaya mwanakomana waJehoramu Jehoramu mwana waPerariya Perariya ari mwanawo waAmuzi Amuzi ari waZekariya Zekariya ariwo waPashihuru Pashihuru mwanakomana waMarikiya nehamawo dzake, vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba acho vari mazana maviri ane makumi mana navaviri kwozouya Amashisai mwanakomana waAzareri. Azareri mwana waAhizai Ahizai ari mwana waMeshiremoti Meshiremoti akaberekwawo naImero nehama dzavowo mvumba chaidzo dzevarume magamba chaiwo okurwa hondo vari zana namakumi maviri ana vasere, mutariri wavo ari Zabhudhieri mwanakomana waHagedhorimu. KuvaRevhi kwaivawo naava vanoti: Shemaya mwanakomana waHashubhu Hashubhu mwana waAzirikamu Azirikamu ari mwana waHashabhiya, Hashabhiya ari waBhuni Bhuni naShabhetai naJozabhadhi vamwe vevakuru vakuru vevaRevhi vaiona nezvebasa rokunze repamba yaMwari kwouyawo Mataniya mwanakomana waMika, Mika mwana waZabhudhi Zabhudhi mwanakomana waAsafu aiva mutungamiriri wokuvamba munamato wokutenda uyewo Bhakibhukiya mwana wechipiri pakati pehama dzake kwozouya Abhudha mwanakomana waShamua mwanakomana waGarari, Garari mwanakomana waJedhutuni. VaRevhi vomuGuta Rinoera iri vose vaiva mazana maviri namakumi masere ana vana. Vachengetedzi vepamisuo mikuru, vana Akubhu naTarimoni nehama dzavo, vakanga vari vokuchengetedza pamisuo mikuru, vaiva zana revanhu rine vanhu makumi manomwe navaviri. Vamwe vose veIsiraeri navamwe vose vevapristi navavaRevhi vaiva mune mamwe maguta ose amaJudha munhu wose agere pake penhaka. Asi vashandi vepaTemberi vaigara paOferu, Ziha naGishipa ndovaiva vakuru vakuru vevashandi vepaTemberi. Mutariri wevaRevhi muJerusaremu akanga ari Uzi mwanakomana waBhani Bhani mwana waHashabhiya, Hashabhiya ari mwana waMataniya, Mataniya akaberekwa naMika Mika wokuvanakomana vokwaAsafu vaimbi, aiona nezvebasa repamba yaMwari, nokuti kwakanga kwabva chirevo kuna mambo chakanangana nezvavo nomugove wakatemwa wevaimbi sezvainge zvichidiwa zuva nezuva kwoti Petahiya mwanakomana waMeshezabheri, Meshezabheri mumwe wevana vokwaZera, Zera mwanakomana waJudha aiva nhume yamambo panyaya dzose dzainangana nezvevanhu. Panyaya yemisha namafuro ayo, vamwe vanhu vamaJudha umu vaigara mumaguta aya anoti: muKiriatiaribha nemisha yaro nomuDhibhoni nemisha yaro nomuJekabhuzieri nemisha yaro nomuJeshua nomuMoradha nomuBhetipereti nomuHazarishuaru nomuBheerishebha nemisha yaro nomuZikiragi nomuMekona nemisha yaro nomuEnirimoni nomuZora nomuJarimuti nomuZanowa neAdhuramu nemisha yawo neRakishi nemisha yaro neAzeka nemisha yaro. Saizvozvo vakadzika matendhe kubvira kuBheerishebha kusvikira kuBani rokwaHinomu. Vanhu vokwaBhenjamini vaigarawo kubvira Gebha zvichienda mberi kuMikimashi nokuAiya nokuBhetieri nemisha yaro nokuAnatoti neNobhu neAnaniya neHazori neRama neGitaimu neHadhidhi neZebhoimu neNebharirati neRodhi neOno bani remhizha dzezvoutare. Zvimwe zvikwata zvevaRevhi maJudha umu zvakanga zvakabatanidzwa kune vokwaBhenjamini. Vapristi navaRevhi vaya vakasimuka vakauya pamwechete naZerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua ndavava ava vanoti: Seraya naJeremiya naEzira naAmariya naMaruki naHatushi naShekaniya naRehumu naMeremoti naIdho naGinetoi naAbhiya naMijamini naMaadhiya naBhiriga naShemaya naJoyaribhu naJedhaya naSaru naAmoki naHirikiya naJedhaya. Ivava ndivo vaiva vakuru vakuru vavapristi nevehama dzavo mumazuva aJeshua. KuvaRevhi uku paiva navava vanoti: Jeshua naBhinui naKadhimieri naSherebhiya naJudha naMataniya iyeyu nehama dzake vaiva varivo vokuona nezvenziyo dzokutenda uku Bhakibhukiya naUno hama dzavo vainge vachimira pakadaro apo vakatarisana navo pavainge vari pabasa irori. Jeshua aiva baba vaJohakimu Johakimu ari baba vaEriyashibhu Eriyashibhu ariwo baba vaJoyadha Joyadha ariwo baba vaJonatani. Jonatani ndibaba vaJadhua. Mumazuva aJoyakimu, vapristi vakanga vari vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakamira vakadai: Seraya aiva wokwaMeraya Jeremiya ari wokwaHananiya Ezira ari wokwaMeshuramu Amariya ari wokwaJehohanani Maruki ndewokwaJonatani Shekaniya aiva wokwaJosefi Harimu ari wokwaAdhina Meremoti ari wokwaHerikai Idho ari wokwaZekariya Ginetoni ndewokwaMeshuramu Abhiya ari wokwaZikiri Miniyamini naMoadhiya vaiva vokwaPiritai Bhiriga ari wokwaShamua Shamaya ari wokwaJehonatani Joyaribhu ndewokwaMatenai Jedhaya aiva wokwaUzi Sarai ari wokwaKarai Amoki ari wokwaEbheru Hirikiya ndewokwaHashabhiya, Jedhaya aiva wokwaNetaneri. KuvaRevhi uku, mumazuva aEriyashibhu naJohanani naJadhua, kwakanga kuna mazita akanyorwa avatungamiriri vedzimba dzamadzibaba acho pamwechetewo navapristi kusvikira mugore rokutonga kwaDhariusi muPezhiya. Vanakomana vokwaRevhi, kusvikira mumazuva aJohanani mwanakomana waEriyashibhu, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba acho, vakanga vakanyorwa mazita muBhuku reNhoroondo. Vakuru vakuru vevaRevhi ava vanoti: Hashabhiya naSherebhiya naJeshua mwanakomana waKadhimieri nehama dzavo vaiva vokumira pakatarisana navo vachitenda Mwari nokurumbidza maererano nezvakanga zvanzi zviitwe naDhavhidhi munhu waMwari, chikwata chichidairana nechimwe. Mataniya naBhakibhukiya naObhadhiya naMeshuramu naTarimoni naAkubhu vaiva vachengetedzi vepamisuo mikuru vaimira vachigaririra padzimba dzokuchengetera zvinhu dzokumisuo mikuru yacho. Ivava ava vaivepo mumazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, Jeshua mwanakomana waJozadhaki nomumazuva aNehemiya gavhuna neemupristi Ezira nyanzvi yomutemo iya. Pakuteketererwa kuna Mwari kwakaitwa rusvingo rweJerusaremu, vakakokorodza vaRevhi kunzvimbo dzavo dzose vachiunza muJerusaremu kuzopembera nokufarira kuteketerera kuna Mwari ikoku vachimutenda vachiimba vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani. Vanakomana vevaimbi vakaungana pamwechete vachibva munharaunda yeJerusaremu nokumisha yevanhu vokuNetofa nevaibvawo kuBhetigirigari nokuruwa rweGebha nokuAzimavheti. Chakanga chavepo ndechokuti, vaimbi vakanga vazvivakira misha munharaunda yeJerusaremu. Vapristi nevaRevhi vakazvichenura vakabva vachenurawo vanhu nemisuo mikuru norusvingo. Ndakazokwidza machinda emaJudha umu parusvingo ndikasarudza mapoka maviri evanhu vakuru vaiva vari vokuzotenda Mwari vakaita dungwerungwe kuenda. Rimwe boka rakaenda kurudyi kwacho riri pamusoro porusvingo ipapo rakananga kusuo guru rokuMarara richiteverwa mushure naHoshaya pamwechete nechimwe chikamu chamachinda emaJudha umu ava vanoti: Azariya naEzira naMeshuramu naJudha naBhenjamini naShemaya naJeremiya nevamwe vanakomana vevapristi vaine mabhosvo ava vanoti: Zekariya mwanakomana waJonatani Jonatani mwana waShemaya Shemaya ari mwana waMataniya Mataniya ariwo mwana waMikaya Mikaya akaberekwa naZakuri Zakuri aberekwa naAsafu nehama dzake dzomumba dzinoti: Shemaya naAzareri naMirarai naGirarai naMaai naNetaneri naJudha naHanani. Vaine zvokuimbisa zvinoridzwa zviya zvaDhavhidhi munhu waMwari, Ezira nyanzvi yomutemo iya, ndiye aivatungamirira. Kusuo guru reChisipiti, vakati tande kuenda vakananga kumberi kwavo vachikwidza napamadanho rapaGuta raDhavhidhi pamukwidza worusvingo nechepamusoro pemba yaDhavhidhi vachienda kusuo guru rokuMvura kumabvazuva. Rimwewo boka ravaya vokutenda Mwari rakaenda kurubhoshwe. Ndakavatevera nechimwe chikamu chavanhu pamusoro porusvingo ipapo nochokumusoro kweNharire yeZvoto takananga kurusvingo Rwakapamhama napamusoro pesuo guru rokwaEfuremu nepasuo guru reChinyakare nepasuo guru reHove nokuNharire yokwaHananeri nokunharire yeZana nokusuo guru reHwai. Vakazosvikomirira pasuo guru revaGaririri. Nokudaro mapoka maviri aye okutenda Mwari, akamira mumba maMwari, izvozvo ndakanga ndine chimwe chikamu chavakuru vakuru chevapristi vaiva namabhosvo ava vaiti: Eriyakimu naMaaseya naMiniamini naMikaya naErieonai naZekariya naHananiya kwozouyawo Maaseya naShemaya naEreazaru naUzi naJehoHanani naMarikiya naEramu naEzero. Vaimbi vakaimba zvokunzwika zviye vachitungamirirwa naJezirahiya. Vakapira zvibayiro zvikuru musi iwoyo vakafara zvikuru kwazvo nokuti Mwari akanga aita kuti vafare chaizvo zvokufara zviya. Vakadzi navana vakazofarawo. Kufara kweJerusaremu kukanzwika kure kure. Pazuva iroro vamwe varume vakaiswa pabasa rokuona nezvedzimba dzokuchengetera zvinhu izvi zvinoti: mipiro nemichero yokutanga nezvegumi. Ndivo vaiva nebasa rokuunganidzamo migove yainzi nomutemo ive yavapristi nevaRevhi zvichibva muminda yomumaguta pamusana pokuti Judha yaifarira vapristi nevaRevhi vaishandamo. Vakaita basa raMwari wavo nebasawo rokuzvichenura sezvakangoitawo vaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru maererano nomurao waDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni. Nokuti kare mumazuva aDhavhidhi neaAsafu kwaiva nomukuru mukuru wavaimbi, kwaivawo nedzimbo dzokurumbidza nokutenda Mwari. Isiraeri yose mumazuva aZerubhabhero nomumazuva aNehemiya vanhu, vaibvisa mugove wokupa vaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru, vaibvisawo zvevaRevhi, vaRevhiwo vachibvisawo chikamu chaifanirwa kupiwawo kuvanakomana vokwaAroni. Pazuva iroro vakaverengera vanhu bhuku raMosesi vachizvinzwa. Mubhuku iroro vakawana pakanga pakanyorwa kuti, hakuna munhu wechiAmoni kana wechiMoabhu anobvumirwa kupinda mugungano raMwari, nokuti havana kundochingura vaIsiraeri nechingwa nemvura asi kutoti vakatovakokera Bhiriamu kuti avarengerere achivashurikidzira rushambwa. Zvakadaro zvazvo Mwari wedu akapindura kurengerera nokuvarengerera rushambwa ikoko achikuita kuti kuve chikomborero. Vanhu pavakanzwa mutemo iwoyo vakabvisa muIsiraeri vanhu vose vechirudzi. Zvisati zvaiitika izvozvi, mupristi Eriyashibhu ndiye akasarudzirwa basa rokuchengetedza dzimba dzomumba yaMwari. Ainzwanana naTobhiya. Akagadzirira Tobhiya imba huru maaiisa mbesenwa dzomupiro norusenzi nemidziyo nechegumi chembesanwa nechewaini nechamafuta eorivhi zvakanga zvakatemwa nomutemo kuti zvipiwe vaRevhi navaimbi navachengeti vapamisuo mikuru nemipirowo yaipiwa kuvapristi. Paiitika zvose izvozvi, ini ndakanga ndisiri muJerusaremu, nokuti mugore ramakumi matatu nechipiri rokutonga kwaAtakizesesi, mambo weBhabhironi ndakaenda kwamambo iyeyo. Kwati perei mazuva akati kuti ndakakumbira mambo kuti ndichimbosuduruka zvangu, ndokubva ndadzokera kuJerusaremu. Ndopandakachizoziva uipi hwakanga hwaitwa naEriyashibhu hokugadzirira Tobhiya imba munhandare dzemba yaMwari. Zvakandishatirisa kwazvo, ndikakanda kunze kwemba iyoyo midziyo yose yaTobhiya yomumba. Ndakaudza vanhu kuzochenura dzimba idzodzo ndokuzodzoreramo kwandakaita midziyo yemba yamwari pamwechete nomupiro wembesanwa newerusenzi. Chimwewo chandakaona ndechokuti, vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo zvokuti vaRevhi navaimbi vanoita basa vakanga vatotizira kuminda yavo. Nokudaro ndakapopotera vakuru vakuru ndichivabvunza kuti, “Ko imba yaMwari yavakushairwa hanya kudai seiko?” Ndokubva ndaunganidza vaRevhi ndikavaisa panzvimbo dzavo. Vose vokwaJudha vakaunza zvegumi zvavo zvembesanwa nezvewaini nezvemafuta erorivhi maichengeterwa zvinhu. Ndakasarudza vanhu vandakapa basa rousahomwe ava vanoti: mupristi Sheremiya naZadhoki nyanzvi yomutemo naPedhaya muRevhi. Mutevedzeri wavo aiva Hanani mwanakomana waZakuri mwanakomana wokwaMataniya nokuti vaizivikanwa kuti vanhu vakatendeka. Basa ravo raiva rokugovera zvinhu kuhama dzavo. Mwari wangu ndiyeukeiwo pane zvizvi murege kupfudza zvandakaita zvakanaka zvandakaitira imba yaMwari wangu nebasa rake. Pamazuva iwayo ndakaona vamwe varume vokwaJudha vachisvina zvavo waini muchisviniro nomusi weSabata vachitounza zvavo mirwi yembesanwa vachidzitakudza pamadhongi avo, vaitakurawo waini namagirepisi namakuyu nemimwewo mitoro yakasiyana — siyana yavaiuya nayo muJerusaremu musi weSabata. Ndakavatsiura nezvezuva ravaitengesa zvokudya. Vamwe vanhu vokuTire vaigara muguta umu vaiuyawo nehove nezvimwewo zvinhu vachizvitengesa nemusi weSabata kuvanhu vokwaJudha muJerusaremu. Ndakapopotera vokumbahuru vokwaJudha ndikavati, “Zviiko zvamuri kuita, zvakaipa zvakadai zvinon'oresa Sabata? Handizvo here zvakaitwa namadzibaba enyu izvozvi? Mwari wedu haana kuunza here zvose zvakaipa izvi patiri nokuguta rino, asi imi ndopamava kutopinza Isiraeri mumhosva huru nokun'oresa Sabata.” Kwakati kwava kuda kusvipa, pamisuo mikuru yeJerusaremu, Sabata ravakusvika ndakatiwo misuo inofanira kuzarirwa; ndikati haifaniri kuzarurwa kusvikira Sabata rapera. Ndakapa vamwe vashandi vangu basa rokuchengetedza pamisuo mikuru kuitira kuti pasave nezvinhu zvinotakurwa zvichipindwa nazvo pamusi weSabata. Vemhindu dzokutengesa zvinhu navatengi vakatomborara kunze kweJerusaremu kamwechete kana kaviri kose. Ndakavayambira ndichiti, “Chamunorarira muberere memasvingo chii? Mukapamhidzazve ndinokutumirai vokukubatai.” Kubvira ipapo havana kuzouyazve nomusi weSabata. Ndakaudza vaRevhi kuti vanofanira kuzvichenura vogouya vochengetedza pamisuo mikuru kuitira kuti Sabata riereswe. Mwari wangu mundiyeukewo pamusana penyaya iyi mundiitirewo mwoyochena wenyu. Ndakaonawo pamazuva iwayo, vaJudha vakanga varoora vakadzi vokuAshidhodhi, nokwaAmoni nokuMoabhu. Chimwe chikamu chavana vavo chaitaura mutauro wokuAshidhodhi kana mumwewo mutauro wamamwe marudzi, asivasingakwanisi kutaura chiJudha. Ndakavatsiura ndikavarengerera rushambwa ndikarova vamwe varume pakati pavo, ndikavadzura vhudzi. Ndakaita kuti vapike mhiko muzita raMwari yokuti, “Hamufaniri kuroodza vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kuzviroorera imi pachenyu Soromoni haana kutadza here pamusana pevakadzi vakadai? Kunyange pakati pamarudzi akawanda kwakanga kusina mambo akaita saiye uye aidiwa kwazvo naMwari wake. Mwari akamuita mambo weIsiraeri yose, asi vakadzi vechirudzi vakamuita kuti kunyange iyeyu atadze. Tinzwe here zvakare kuti, imiwo mavakuita zvinhu zvakaipa zvikadai! Hamuchatendeki kuna Mwari wedu nokuroora kwamava kuita vakadzi vechirudzika imi?” Mumwe wavana vaJoyadha mwanakomana waEriyashibhu mupristi mukuru akanga achitova zvake mukuwasha waSanibharati muHoroni. Naizvozvo ndakamudzinga pandiri. Varangarirei, Mwari wangu pamusana pokuti vakan'oresa upristi nechitenderano choupristi nechavaRevhi. Naizvozvo ndakavachenesa kuzvinhu zvose zvisiri zvechiJudha ndikatema mabasa avapristi navaRevhi kuti mumwe nomumwe ave nebasa rake. Ndakaronga zvokuuiswa kwehuni dzomupiro panguva dzakatarwa uye nezvemichero yokutanga. Ndiyeukeiwo Mwari wangu mundizivewo. Mumazuva aAhasuerusi, Ahasuerusi uya aitonga nyika dzinobvira kuIndia kusvikira kuItiopia achitonga zana renyika rine nyika makumi maviri nenomwe, mumazuva iwayo, pakagara mambo Ahasuerusi pachigaro chake choumambo muguta reSusa, guta guru. Mugore rake rechitatu rokutonga akaitira mabiko machinda ake ose namakurukota vakuru vakuru vehondo yePezhiya neMidhia nevokumbahuru namasadunhu amatunhu iwayo vari paari. Izvozvo ainge achiratidza kuwanda kwoupfumi hwoumambo hwake norunako rwahwo nechiremera chake nomukurumbira woumambo hwake kwamazuva mazhinji, kwezana ramazuva rina mazuva makumi masere. Kuzoti mazuva iwayo apera, mambo akaitira vanhu mabiko amazuva manomwe munhandare yomubindu romumuzinda wokwamambo. Akaitira mabiko iwayo vanhu vose vakanga vari muguta guru reSusa, guta romuzinda, vose zvavo vakuru navaduku. Pakanga paine machira machena okudzikatirisa edonje chaiwo nezvimwe zveruvara rwedenga zvakanga zvakaturikwa zvakasungirirwa kumaringi esirivha netambo dzerineni dzakanakisisa kwazvo nedzeruvara rwehute pamisimboti yamabwe omunyakwe nezvigaro zvendarama nezvesirivha zvokugara wakanyatsozendama nezvesirivha nemabwe omunyakwe emavara matsvuku namachena nomunyakwe, namatombo emapera namatombo akakosha. Zvokunwa izvi zvaiperekerwa mumahambarara endarama namamwewo mahambarara emhando nemhando. Waini yokwamambo yaiitwa zvokutopa negombe kwazvo sokuwandawo kwewaini yokwamambo. Yainwiwa zviri pamurao pasina zvokumanikidza munhu nokuti mambo akanga atemera makurukota ose omumuzinda make kuti vaitire munhu nomunhu zvaanenge achida. VaHosi vamambo, Vhashiti akaitirawo vanhukadzi mabiko mumuzinda wamambo Ahasuerusi. Pazuva rechinomwe racho, mambo afaranuka mwoyo newaini akaudza Mehumani naBhizita naHaribhona naBhigita naAbhagita naZeta naKarikasi, vayuniki vanomwe vaishandira mambo Ahasuerusi savatariri vomumuzinda make kuti vauye navahosi vamambo, Vhashiti, pana mambo akapfeka ndaza yake youhosi. Chaakaitira izvi kwaiva kuti aratidze ndudzi nendudzi dzavanhu namachinda runako rwake pamusana pokuti iye akanga aine chimiro chinoyemurika. Asi vahosi vamambo, Vhashiti, akaramba kuuya sokurayirwa kwakanga kwaitwa vayuniki ava namambo. Izvozvi izvi zvakashatirisa mambo akaviruka chaizvo nehasha. Zvino mambo akakurukura nengwazi dzavarume vaiziva zvomukore iwoyo. Ndiwo aiva maitiro amambo kune vazivisisi vomutemo nokutonga. Vaimutevedzera vacho ndaava vainzi Karishena naSheta naAdhimata naTarishishi naMeresi naMarisena naMemukani. Ivava vari vanomwe ndivo vaiva machinda ePezhiya neMidhia ndivo vaionana namambo uso nouso varivo vezvigaro zvokutangisisa paumambo. Akavati, “Pamutemo, chii chinofanira kuitwa kuna vahosi Vhashiti, varega kuita zvarayirwa vayuniki namambo Ahasuerusi zvaatema kuti zviitwe?” Memukani ndokutaura pana mambo namachinda achiti, “Vahosi vamambo, Vhashiti, haana kutadzira mambo chete, asi atotadzirawo machinda ose namarudzi ose avanhu vari munyika dzamambo Ahasuerusi. Ndinodaro nokuti, zvaitwa navahosi vamambo izvi zvichazikanwa navakadzi vose zvikakonzera kuti vazvidze varume vavo nokuti vachati, ‘Mambo Ahasuerusi akarayira kuti vahosi vamambo vauyiswe kwaaiva, asi ivo vakarega kuendako wani!’ Iye nhasi uno chaiye, vakadzi vomuPezhiya umu nomuMidhia vanzwa zvaitwa navahosi vamambo izvi, vachatozvitaurirawo kumachinda ose amambo pachave nokushora noruvengo rukuru kwazvo. Kana zvichikufadzai mambo ngapatemwe chirevo chinobva kunemi mambo chitobvawo chatonyorwa mumutemo yavaPezhiya nevaMidhia, uve mutemo usingashandurwi unoti: Vhashiti haafanire kumbobvumirwazve zvake kusvika pana mambo Ahasuerusi, uyewo chinzvimbo chake chokwamambo chipiwe kuno mumwe ari nani paari. Saizvozvo kana chirevo ichochi chaitwa namambo chaparidzwa munyika yamambo yose namakuriro ayakaita, madzimai ose acharemekedza varume vavo. Vangave varume vane chinzvimbo chiri pamusoro kana chiri pasi zvacho.” Zano iri rakafadza mambo namachinda, mambo vakaita sokutaura kwakanga kwaita Memukani. Akatumira matsamba kunyika dzose dzoumambo hwake nyika nenyika achiinyorera namanyorero ayo, rudzi nerudzi nomutaurowo warwo kuti, murume woga woga ave ndiye tenzi womusha wake achitaura norurimi rwavanhu vokwake. Mushure maizvozvi izvi, hasha dzamambo Ahasuerusi dzaserera, akayeuka Vhashiti nezvaakanga aita uye nechirango chaakanga atemerwa. Makurukota amambo vaimushandira vakati, “Dai mambo akatsvakirwa vasikana mhandara dzinotarisika zvakanaka. Mambo ngaasarudze mamwe machinda munyika dzose dzoumambo hwake vaunganidze vasikana vacho, mhandara dzakanaka idzodzo kumba yavanhukadzi kuguta reSusa, guta guru romuzinda wamambo, vave mumaoko aHegai muyuniki wamambo ane basa rokuona nezvevanhukadzi vagopiwa mafuta avo okuzora. Mhandara inenge yafarirwa namambo ngaive iyo vahosi vamambo panzvimbo yaVhashiti.” Izvi zvakafadza mambo vakaita saizvozvo. Guta reSusa, guta guru romuzinda wamambo maiva nomumwe murume muJudha ainzi Modhekai mwana waJairi mwana waShimei ari mwanawo waKishi wedzinza rokwaBhenjamini. Modhekai uyu akanga atakurwa kuJerusaremu mukati menhapwa dziye dzokuendwa nadzo pamwechete naJekoniya mambo wokwaJudha akatapwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi. Modhekai ndiye akarera Hadhasa, ainziwo Esita mwanasikana wababamunini vake nokuti akanga ava nherera isina baba kana amai. Musikana iyeyu akanga ari musikana aitarisika zvakanaka ane chimiro chinoyevedza. Pakafa baba namai vake, Modhekai ndiye akasara ava kumurera ava kumuona semwanasikana wake. Zvino pakanga pachiparidzwa chirevo chamambo chiya uye vasikana vazhinji pavakanga vaungana muguta reSusa, guta romuzinda, vava mumaoko aHegai, Esita akaendwa naye mumuzinda wamambo akaiswawo mumaoko aHegai aiva nebasa rokuona nezvevanhukadzi. Mhandara iyi yakafarirwa naHegai akabva ava kumuitira zvakanaka. Akakurumidza kumupa mafuta akewo okuzora nomugove wake wechokudya navasikana vanomwe shasha chaidzo dzomumuzinda wamambo, akamukwiridzira iye navasikana vake akamuendesa kwakanakisisa kwazvo mumba yavanhukadzi. Esita akanga asina kuvaudza rudzi rwake kana hama dzake nokuti Modhekai akanga amukohomedza kuti asabudise izvozvo pachena. Zuva nezuva Modhekai aifamba-famba pamberi penhandare yemba yavanhukadzi kuti anzwe kuti Esita akadii, uye kuti zvaimufambira sei. Musikana woga woga aiva nechijana chake chokupinda muna mambo Ahasuerusi. Pamurawo waisunga nezvavanhukadzi ivavo, kupindamo, aitozopinda kwapera mwedzi gumi nemiviri nokuti ndiyo nguva yacho yavaipedza yokuzvivandudza nayo runako, vaiita mwedzi mitanhatu namafuta emura, vozoitawo mimwezve mwedzi mitanhatu vaine twokurungisa tunonhuwirira namafuta okuzora echikadzi. Musikana paaizopinda muna mambo saizvozvi chaainge ada kuti ave nacho aipiwa chokuenda nacho chichibva kumba yavanhukadzi achienda kumuzinda wamambo. Aiendako manheru, mangwana mangwanani aizodzoka osvikira mumba yechipiri yavanhukadzi ova mumaoko aShaashigazi mumwe muyuniki wamambo aiva nebasa rokuona nezvevarongo vamambo. Akanga asingazobvumidzwazve kupinda muna mambo asi kutoti mambo atofadzwa zvake naye uye atoita zvokudaidzwa nezita. Pakasvika chijana chaEsita, mwanasikana waAbhihairi babamunini vaModhekai; uya akasara omurera somwanasikana wake chokuti achindopindawo muna mambo, hapana chaakakumbira kunze kwezvaakanyeurirwa naHegai muyuniki wamambo aive nebasa rokuchengeta vakadzi. Esita aiyemurwa nomunhu wose aimuona. Esita, paakaendwa naye kuna mambo Ahasuerusi mumuzinda waiye mambo, uri mwedzi wegumi, mwedzi waTebheti mugore rechinomwe rokutonga kwaAhasuerusi, mambo akada Esita kupinda vakadzi vose. Akatorwa mwoyo naye akamufarira kupinda dzimwe mhandara dzose. Nokudaro akamudzika mumusoro ndaza youmambo akabva amuita vahosi vamambo panzvimbo yaVhashiti. Mambo akaitira machinda namakurukota ake mabiko makuru kwazvo ari mabiko aEsita. Akaderedza mutero munyika dzose akapawo matutu matutu ezvipo samapiro anoita mambo. Pakazoungana mhandara dziye kechipiri, Modhekai ndiye akanga ava wokugaririra pasuo guru ramambo. Izvozvo Esita akanga asati ambotaurira vanhu rudzi rwake kana kuti hama dzake ndavanaani sokurayirwa kwaakaitwa naModhekai. Zvaivapo ndezvokuti, Esita uyu aizoteerera Modhekai sezvaaingoita pavaimurera. Mumazuva iwayo ainge Modhekai ariye wokugaririra pasuo guru rokwamambo, Bhigitani naTereshi vamwe vayuniki vaigaririra kusuo guru vakashatirwa vakafunga zvokupfuudza mambo Ahasuerusi. Nyaya iyoyi yakasvikawo munzeve dzaModhekai akabva aruma nzeve vahosi, Esita, Esita ndokubvawo abayira mambo zani muzita raModhekai. Pazvakatsvagurudzwa zvikaonekwa kuti ndizvo, varume ivava vose vari vaviri vakaurayiwa vachiita zvokusungirirwa mumuti, zvikanyorwawo muBhuku reNhoroondo mambo aripo. Mushure maizvozvi izvi, mambo Ahasuerusi akasumudzira pamusoro Hamani wokwaAgagi mwanakomana waHamedhata akamukwidziridza achimupa chigaro chepamusoro kudarika machinda mamwe ose aakanga anawo. Zvino makurukota ose amambo akanga ari epasuo guru rokwamambo vaikotama vachiremekedza Hamani nokuti ndozvakanga zvatemwa namambo nezvake. Asi Modhekai haaipfugama achimugwadamira. Makurukota amambo aive pasuo guru rokwamambo akazobvunza kuti, “Unotyorerei murao wamambo?” Pavakataura naye zuva nezuva iye asingateereri vakazozvisvitsa kuna Hamani vachida kuona kuti zvaitaurwa naModhekai zvaizomusvitsa kupi, nokuti akanga avaudza kuti aiva muJudha. Hamani, paakaona kuti Modhekai akanga asingapfugami kana kumugwadamira akaviruka chaizvo nehasha. Akaona chiri chinhu chisina maturo kungoranga Modhekai chete, naizvozvo sezvo akanga audzwa kuti rudzi rwaModhekai nderwechiJudha, akafunga zvokuparadza maJudha ose, vanhu vokwaModhekai wacho munyika dzose dzoumambo hwaAhasuerusi. Mumwedzi wechiposhi, mwedzi waNisani, mugore regumi rechipiri rokutonga kwaAhasuerusi vakashandisa Puri, ndochin'ange ichocho pana Hamani zuva nezuva. Vaichiita mwedzi nomwedzi kudzamara pamwedzi wegumi nechipiri ndiwo mwedzi waAdhari iwoyo. Hamani akati kuna mambo Ahasuerusi, “Kune rumwe rudzi rwavanhu rwakatekeshera rwakaita mharadzirwa mukati mendudzi dzavanhu munyika dzose dzoumambo hwenyu. Mitemo yavo yakasiyana neyedzimwe ndudzi dzose dzavanhu uye havachengete mitemo yamambo zvokuti kuvarega zvavo vakangodaro, hapana chiyamuro kwamuri mambo. Kana muchida zvenyu mambo, panofanira kutemwa chirevo chokuti vaparadzwe. Ini ndini ndichabvisa mari yesirivha inosvika mazana matatu amatani ane matani makumi mana ane mashanu, ndoiisa mumaoko avanhu vanoona nezvebasa rokwamambo kuti vagoiisa munochengeterwa upfumi hwokwamambo.” Nokudaro mambo akabvisa muruoko ringi yake yechidhindo akapa kuna Hamani muvengi wevaJudha muAgagi mwanakomana wokwaHamedhata. Mambo akati kuna Hamani, “Mari yacho unopiwa iwe uye vanhu vacho vanoiswa mumaoko mako kuti uite zvaunoda navo.” Vanyori vokwamambo vakadaidzwa musi wegumi nechitatu wemwedzi wechiposhi kukanyorerwa chirevo chiya madzishe namasadunhu enyika dzose namachinda endudzi dzose dzavanhu. Vakachinyora namanyorero enyika yoga yoga nomutauro wenyika imwe neimwe, maererano nezvose zvainge zvatemwa naHamani. Chirevo ichocho chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa nechidhidho chamambo. Kwakatumwa vokumhanya namatsamba kunyika dzose dzamambo aiti kuparadzwe, kuurayiwe, kutsakatiswe maJudha ose zvawo; vakuru navadiki, vakadzi navana nomusi mumwechete musi wegumi nechitatu womwedzi wegumi nechipiri, mwedzi waAdhari uye kupambwe zvinhu zvavo. Tsamba yakaita saiyoyi yaifanira kupiwa somutemo munyika dzose ichifanira kuparidzwa kundudzi dzose dzavanhu kuti musi iwoyo vange vakagadzirira. Vokumhanya neshoko vaye vakakasika kuenda chiri chinhu chainge chatemwa namambo. Chirevo ichi chakatemwa muguta reSusa, mumuzinda wamambo. Mambo naHamani ndokugara pasi vava kunwa zvavo asi guta reSusa rakakangaidzwa nazvo. Modhekai paakaziva zvose zvakanga zvaitwa akabvarura hanzu dzake neshungu ndokupfeka hanzu dzamasaga ndokuzvidira dota. Akabuda oenda mukati meguta iroro ndiye mhere povo wochema achiungudza zvinosiririsa kwazvo. Akandosvika mberi kwesuo guru rokwamambo asi haana kupinda nokuti hapana aikwanisa kupinda pasuo guru rokwamambo akapfeka masaga. Munyika dzose, kwose kwainge kwasvika zvakatemwa namambo izvi, nechirevo chake ichochi kwaibva kwava nokuchema kukuru muvaJudha nokutsanya vachihwihwidza nokuungudza; vazhinji vavo vakanga vakapfeka hanzu dzamasaga vakazvidira madota. Vasikana vaEsita navayuniki vake pavakasvitsa shoko irori kwavari, vahosi vamambo vakarwadziwa kwazvo nazvo. Vakatumira hanzu dzokuti Modhekai agopfekenura hanzu dzake dzamasaga asi akadziramba. Zvino Esita akadaidza Hataki mumwe muyuniki wokwamambo akanga apiwa basa rokumuchengeta vakamutuma kuna Modhekai kuti andonzwa kuti chii chaizvo uye kuti zvauya sei. Hataki akabuda akaenda kuna Modhekai panhandare yeguta iri pamberi pesuo guru rokwamambo. Modhekai akamurondedzera zvose zvakanga zvamuwana nouwandi chaihwo hwemari yakavimbiswa naHamani kuti aizobvisa igoendeswa maichengeterwa upfumi hwokwamambo yebasa rokuparadzisa vaJudha. Modhekai akamupawo imwe tsamba yakanga yakaita sechirevo ichocho chakatemwa muguta reSusa chokuti vaparadzwe kuitira kuti andochiratidzawo Esita nokumutsanangurira nokumuti aende kuna mambo andomuteterera achikumbirira vanhu vokwake. Hataki akaenda akandopira Esita zvakanga zvarehwa naModhekai. Esita akataurira Hataki shoko rokundotaurira Modhekai kuti, “Machinda ose navanhu vose venyika dzamambo vanoziva kuti kuwana munhu, angave murume kana mukadzi zvake, anopinda muna mambo muimba yomukati asina kutoitwa zvokudaidzwa, kune mutemo mumwechetechete wokuti, pfiro yavo imwecheteyo; vanourayiwa, kusatoti anenge aita zvokutosimudzirwa namambo tsvimbo yendarama youmambo kuitira kuti ararame. Zvino ini handina kumbodaidzwa kuti ndipinde muna mambo mumazuva makumi matatu iwaya.” Vakandotaurirawo Modhekai zvakanga zvarehwa naEsita. Modhekai akavataurira mhinduro yokundopa Esita yokuti, “Chirega zvako kuzviti zvandiri mumuzinda wamambo ndini ndoga munhu achapunyuka pana vamwe vaJudha vose. Ndinodaro nokuti kana ukatonyarara zvako panguva yakaita seiyo iyi, vaJudha vachawana ruyamuro nokununurwa kuchangonyuka kuchibva kumwewo zvako. Asi iwe nemba yababa vako muchaparara. Zvinoka, zvimwe kupinda kwawakaita paumambo uku zvakatoitirwa nguva yakaita seiyo ino iyi, zvinaani angazvizive izvozvo?” Esita akavaudza mhinduro yokundopawo Modhekai yokuti, “Endai mundokokorodza vaJudha vose vamunowana muSusa muti ngakutsanywe muchitsanyireni murege kudya kana kunwa kwamazuva matatu siku nesikati. Iniwo navasikana vangu ndichatsanyawo sezvamuchaita. Ndichazoenda kuna mambo kunyange zvazvo zvisiri pamutemo. Kana ndikaparara ndapararawo zvangu.” Modhekai akaenda akandoita zvose zvakanga zvarayirwa naEsita. Pazuva retatu Esita akapfeka hanzu dzake dzouhosi hokwamambo akandomira munhandare yomukati yomumuzinda wamambo pakatarisana nezimba rokusanganira rokwamambo. Mambo akanga agere zvake pachigaro chake choumambo mumuzinda imomo pakatarisana nepokupinda napo mumuzinda. Mambo paakaona vahosi vamambo Esita amire munhandare umu, akamuitira mwoyochena akabva asimudzira tsvimbo yake yendarama yaaiva nayo muruoko kuna Esita. Esita akaswedera akasvikobata pamusoro petsvimbo iyoyo. Mambo akati kwaari, “Chiiko nhai vahosi vangu Esita? Chiiko chamuri kukumbira? Munochipihwa chete kunyange chikava zvacho chikamu chepakati napakati chaicho choumambo hwangu.” Esita ndokuti, “Kana zvichikufadzai mambo, dai mambo naHamani mukambouyawo nhasi uno kumabiko andaitira imi mambo.” Mambo akabva ati, “Kurumidzai kuunza Hamani tigoitirawo Esita zvaari kuda.” Nokudaro mambo naHamani vakasvika kumabiko akanga aitwa naEsita. Pavaingunonwa zvavo waini, mambo akati kuna Esita, “Chichemo chako ndechipiko? Unotozviitirwa chete, chiiko chauri kukumbira? Kunyange chikava zvacho chikamu chapakati napakati chaicho choumambo hwangu zvinofanira kuti zvitoitwa.” Asi Esita akati, “Chichemo changu nechikumbiro changu ndechichi chokuti; kana imi mambo mandiitirawo tsiye nyoro uye kana zvichikufadzaiwo mambo kuti munzwe chichemo changu mundiitirewo zvandichakukumbirai, dai mambo naHamani vakazouya kumabiko andichakuitirai, mangwana ndopandichazoita zvarehwa namambo.” Hamani akaenda achifara zvikuru zvake musi iwoyo hakuzi kufara ikoko, mumwoyo asisagoni nokufara. Asi Hamani paakaona Modhekai kusuo guru rokwamambo kuye kuti haana kana kumbomusimukira kunyange kudedera pamberi pake, akaviruka nehasha kutsamwira Modhekai. Zvakadaro zvazvo Hamani akazvidzora akaenda zvake kumba. Akatuma vanhu kundodaidza shamwari dzake nomudzimai wake, Zereshi. Hamani akavazuwira nezvembiri yokupfuma kwake nokuwanda kwakanga kwaita vana vake nezvose zvokusumidzirwa pachigaro chepamusoro nechiremera chaakanga apiwa namambo nokuvakwidziridza kwaakanga avaita pamusoro pemachinda namakurukota amambo. Hamani akatiwo, “Kana naivo vahosi vamambo chaivo, Esita haana mumwe waakati auye namambo kumabiko aakanga agadzirira kusiya inini chete. Izvozvi namagwanawo ivo vakatondikokazve pamwechete namambo. Asi zvose izvozvi izvi hazvina maturo, kana mumaziso mangu umu ndichinge ndangoona Modhekai muJudha uya uya akagaririra pasuo guru rokwaMambo.” Mudzimai wake, Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwavari, “Ngapagadzirwe mutandarikwa wamapango unoita makumi maviri emamita ane mamita maviri kureba, mugofumosvitsa kuna mambo shoko rokuti Modhekai ngaasungirirwe pamutandarikwa iwoyo mozonyatsofara zvenyu muchienda namambo kumabiko.” Zano irori rakafadza Hamani akaita kuti mutandarikwa wacho ugadzirwe. Usiku ihwohwo, mambo haana kumborara. Akati vanhu vamuvigire bhuku rokuyeuchidza nyaya dzakamboitika reNhoroondo, dzikaverengwa pana mambo ipapo. Makawanika makanyorwa zvokunyevera kwakaita Modhekai nezvaBhigitana naTereshi, vayuniki vaviri vokwamambo vaya vakanga vari vokugaririra kusuo guru vakanga vafunga zvokuuraya mambo Ahasuerusi. Mambo akati, “Chii chaizvo chakapiwa Modhekai kuitira nyaya iyoyi chokumuremekedza kana chokumukudzawo nacho?” Machinda amambo aimushandira akati, “Hapana chaakaitirwa uya!” Mambo akabva ati, “Ndianiko ari munhandare umu?” Izvozvo Hamani akanga achangoti pindei munhandare yokunze yomumuzinda wamambo kuzopira kuna mambo nyaya yokuti Modhekai asungirirwe pamutandarikwa uya waakanga amugadzirira. Mamwe machinda amambo ndokuti, “NdiHamani, amire munhandare umu.” Mambo akati, “Muregei zvake apinde.” Nokudaro Hamani akapinda, mambo akati kwaari, “Chii chaizvo chingaitirwe munhu kuri kuti mambo ada kumuremekedza?” Ipapo nechomumwoyo Hamani akazviti, “Iye mambo ndiani chaizvo waangafarire kuremekedza kupinda ini?” Hamani akapindura mambo achiti, “Zvingaitirwe munhu wamunenge mada kuremekedza imi mambo ndezvokuti ngapaunzwe hanzu dzoumambo, hanzu dzamunombopfeka imi mambo nebhiza rinotasvwa namambo rinoiswa chiremba choumambo mumusoro. Hanzu idzodzo nebhiza racho, ngazviiswe mumaoko merimwe jinda rokwamambo rapamusoro-soro. Jinda iroro ngarishongedzwe hanzu idzodzo munhu wacho anoda kuremekedzwa namambo. Jinda iroro ngarifambe nomunhu iyeyo napamusika weguta rino achidaidzira ari mberi kwake kuti, ‘Izvi ndizvo zvinoitwa namambo kumunhu waanenge ada kuremekedza!’ ” Ipapo mambo akabva ati kuna Hamani, “Chitokurumidza utore hanzu idzodzo nebhiza racho sokutaurawo kwawaita. Uitire saizvozvo Modhekai muJudha anogaririra kuSuo Guru rokwaMambo. Usawane zvaunosiya pane zvawareva izvi.” Saizvozvo Hamani akatora hanzu dzacho nebhiza racho akashongedza Modhekai akamufambisa napamusika weguta ari pabhiza, Hamani achidaidzira achiti, “Izvi ndozvinoitwa namambo kumunhu waanenge ada kuremekedza!” Modhekai akazodzokera kusuo guru rokwaMambo, asi Hamani akakurumidza kudzokera kumba kwake achiungudza akafuka musoro. Hamani akasvikotaurira mudzimai wake Zereshi neshamwari dzake dzose zvakanga zvaitika kwaari. Ngwazi dzake nomudzimai wake Zereshi, vakati kwaari, “Kana Modhekai wawatanga kukotamira ari werudzi rwechiJudhaka hamumbomukurira asi kutoti iyewe ndiwe uchatoputsika chete pamberi pake.” Vachingunotaura navo kudaro, pakasvika vayuniki vamambo kuzotora Hamani nokukurumidza kuenda naye kumabiko aye akaitwa naEsita. Sokudaro mambo naHamani vakapinda mumabiko navahosi vamambo Esita. Pazuva rechipiri racho, vachinwa zvavo waini, mambo akatizve kuna Esita, “Chichemo chenyu ndechipi nhai vahosi vangu Esita? Unozvipiwa. Chii chaizvo chauri kukumbira? Kunyange chikava chikamu chapakati napakati chaicho choumambo hwangu, zvinofanira kuti zvitoitwa.” Vahosi Esita vakapindura vachiti, “Kana imi mandiitirawo mwoyochena mambo, uye kana zvichikufadzai imi mambo nokukumbira kwandinenge ndaita ndinokumbira kuti mundiraramisewo uyewo nokukumbira kwangu mundiraramisirewo vanhu vokwangu; nokuti takatotengeswaka isu, ini pamwechete navanhu vokwangu kuti tiparadzwe, tiuraiwe uye kuti titsakatiswe. Dai kuri kuti takangotengeswa chete nhapwa dzechikadzi nedzechirume, ndingadai ndaramba ndakanyarara zvangu. Chinondidariso ndechokuti muvengi wacho iyeyo haazogona kuzogadziridza achitsiva kurasikirwa kunenge kwaita mambo.” Mambo Ahasuerusi akati kuna vahosi Esita, “Ndiani iyeyo? Ari kupi angafemere zvake kuita izvozvi?” Esita akati, “Imwe mhandu, muvengi chaiye! Muipi uyu Hamani!” Hamani akabva adumbirwa chaizvo nokutya pana mambo navahosi vake. Mambo akabva asumuka pakudya akabva aviruka nehasha akaenda mubindu romumuzinda. Asi Hamani akasara achiteterera kuna vahosi vamambo Esita kuti vangovararamisawo nokuti akanga atozviona kuti mambo akanga atoronga kumuita chimwe chinhu. Mambo akazodzoka kubindu romumuzinda kuya akaenda kunzvimbo kwakanga kuchinwirwa waini kuya. Izvozvo Hamani akanga achitozviwisira pachigaro paiva naEsita, Mambo vakabva ati, “Ava kutobhinya vahosi vangu mumaziso mangu nhai, mumuzinda mangu muno?” Mambo achangopedza kutaura muromo iwoyu, akabva afukidza Hamani uso hwake. Mumwe wavayuniki vainge vachishandira mambo anonzi Habhona ndokuti, “Mutandarikwa wamapango uya wakagadzirwa naHamani kusungirira Modhekai, wokubayira mambo zanhi uya zvikazomuponesa, mutandariko wacho iwoyo wakatomira mumusha maHamani unoita makumi maviri amamita ana mamita maviri kureba.” Mambo akabva ati, “Indomusungirirai ipapo.” Saizvozvo vakandosungirira Hamani pamutandariko wemapango uya waakanga agadzirira Modhekai. Ndopakazoserera hasha dzamambo. Musi iwoyo mambo Ahasuerusi akapa kuna vahosi vake Esita imba yaHamani muvengi wavaJudha Modhekai akauya kuna mambo nokuti Esita akanga amutaurira kuti chii chake. Mambo akabvisa ringi rake rechidhindo raakatorera Hamani ndokuripa kuna Modhekai. Esita akaisa imba yaHamani mumaoko maModhekai. Esita akataurazve kuna mambo. Akawira pasi pamakumbo ake achimuteterera nemisodzi padama kuti akonese bangano rakaipa raHamani muAgagi nezano raakanga aronga rokuparadza vaJudha. Mambo akasumudzira tsvimbo yake yendarama kuna Esita, Esita akabva asimuka akamira mberi kwamambo, akati, “Kana zvichikufadzai zvenyu mambo uye mandiitirawo tsiye nyoro, uyezve kana muchichionawo kuti chingave chinhu chakanaka, mandiitirawo mwoyochena; ngakunyorwe matsamba anoti: zvakanga zvakatemwa mutsamba, naHamani muchiAgagi mwanakomana waHamedhata, tsamba dzaakanga anyorera kuparadza vaJudha vari munyika dzose dzamambo. Nokuti ndingaise kupi mwoyo kuona nyatwa iri kuwira vanhu vokwangu? Uye kuti ndingabate papi chaizvo kuona vanhu vokwangu vachiparadzwa?” Mambo Ahasuerusi akati kuna vahosi Esita naModhekai muJudha, “Chionai kuti ndakapa Esita imba yaHamani, akasungirira Hamani pamutandarikwa pamusana pokuti aida kuzouraya vaJudha. Zvino imi mochinyora zvamunoda nezvevaJudha muzita ramambo mugozvidhinda neringi ramambo rechidhindo nokuti chirevo chinenge chanyorwa muzita ramambo uye chikadhindwa neringi ramambo rechidhindo, hachisandurwi.” Vanasamunyori vamambo vakadaidzwa panguva iyoyo mumwedzi wechitatu, unonzi Sivani pari pazuva rechimakumi maviri namatatu. Kwakanyorwa chirevo chaitaura zvainge zvatemwa naModhekai pamusoro pevaJudha chichienda kumadzishe namasadunhu namachinda enyika dzaibvira kuIndia kusvika kuItiopia, dzaisvika zana namakumi maviri ane nomwe. Nyika yoga yoga ichinyorerwa nomunyorero wayo rudzi rumwe norumwe ruchinyorerwa nomutauro warwo. Uyewo nokuvaJudha nomunyorero wavo nomutauro wavo. Chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa neringi ramambo rechidhindo. Tsamba idzodzo dzakatumirwa nevokumhanya nemashoko vakanga vakatasva mabhiza omudanga ramambo aimhanya kwazvo aishandiswa pabasa ramambo. Netsamba idzi, mambo akabvumidza vaJudha vomuguta rimwe nerimwe kuunganidzana kuti vazozvidzivirira upenyu; uye kuti vaparadze nokutouraya chaiko nokutsakatisa hondo ipi neipi zvayo yavanhu inenge iine zvombo zvehondo, kana nyika inenge yafunga zvokurwisa ivo navana vavo navakadzi vavo, kana kuzopamba zvinhu zvavo; uye kuti zviitwe nezuva rimwechete chairo munyika dzose dzamambo Ahasuerusi musi wacho wegumi nechitatu wemwedzi wegumi nechipiri, ndomwedzi waAdhari iwoyo. Imwe Tsamba yakangoita saiyoyi iyi yaifanira kuzoburitswa sechirevo munyika yoga yoga igonyatsoziviswa kuvanhu. VaJudha vose vaifanira kugadzirira pamusi iwoyo kutsividza vavengi vavo. Saizvozvowo vokumhanya namashoko vaya vakabva vati karakata pamabhiza avo anomhanya kwazvo, aimboshandiswa pabasa ramambo ndokuenda nokukurumidza nokuti chaive chinhu chatemwa namambo. Chirevo ichi chakatemwa muguta reSusa, guta guru renyika iyoyo. Modhekai akabva pana mambo ipapo, akabuda akapfeka hanzu dzokwamambo dzeruvara rwedenga nechena aine ndaza huru yendarama nejasi refu-refu rejira rerineni yakanakisisa yeruvara rwehute, guta rose reSusa riri zhwerendende kufara. VaJudha vakava nechiedza vakapembera vachifara vakanzwa kuremekedzwa. Munyika dzose idzodzo nomumaguta ose kwakasvikwa nechirevo chamambo nezvakanga zvatemwa namambo, makava nokufara nokupembera pakati pavaJudha. Kwakabva kwaitwa zuva guru okufara nokuzorora. Vamwewo mukati menyika iyoyi vakazviti vava vaJudha nokuti vakanga vawirwa nokutya vaJudha. Zvino mumwedzi wegumi nechipiri, mumwedzi waAdhari, pamusi wegumi nechitatu wemwedzi wakarewo, pacho paifanira kuti zvakarehwa nomurao uya nechirevo chamambo zvichiitwa, musi wacho chaiwo waitarisirwa navavengi vevaJudha kuti vaJudha vava kuzova mumaoko medu, asi zuva iroro rakanga ratosandurwa kuti richiva zuva rokuti vaJudha vaise vavengi vavo mumaoko mavo; vaJudha vakaunganidzana mumaguta avo munyika dzose dzamambo Ahasuerusi kuti vakuvadze vaida kuvapinza munyatwa. Ipapo hakuna akakwanisa kumirisana navo nokuti kutya vaJudha kwakanga kwawira marudzi ose avanhu. Machinda ose zvawo edzinyika idzi namadzishe namasadunhu namakurukota okwamambo, vakayamurawo vaJudha pamusana pokuti kutya Modhekai kwakanga kwavawira. Nokuti Modhekai akanga ava mukuru mukuru mumuzinda wamambo mukurumbira wake ukadhuma munyika dzose idzodzo pamusana pokuti simba raModhekai rakaramba richingokura-kura. Ipapo vaJudha vakarwisa vavengi vavo vose vachivapfuudza vachivaparadza vachitoita zvavo zvavanoda kuna vaivavenga. Muguta reSusa makare, muguta guru romuzinda iroro, vaJudha vakauraya vakaparadza mazana mashanu avanhu vakaurayawo ava vanoti: Parishandata naDharifoni naAsipata naPorata naAdharia na Andhata naParimashita naArisai naAridhai naVhaizata, navanakomana gumi vaHamani mwana waHamudhata, muvengi wavaJudha, asi havana chavakapamba. Pazuva rakarero, shoko rouwandi hwavanhu vakaurayiwa muguta reSusa, guta guru romuzinda wamambo, rakasvitswa kuna mambo. Mambo akati kuna vahosi Esita, “Muguta reSusa muno, guta guru romuzinda wamambo, vaJudha vauraya mazana mashanu avanhu uyewo gumi ravana vaHamani vakomana, ko kutozoti kune dzimwe nyika dzose dzamambo! Zvino chichemo chamuchinacho ndechipi? Munozviitirwa chete. Ko chimwe chamungade kukumbira ipapa chii? Zvinofanira kuti zviitwe.” Esita akati, “Kana muchida henyu mambo, regai zvenyu vaJudha vari muguta reSusa muno mangwana vabvumirwe kuzoita zviri kurehwa nechirevo ichochi chanhasi uno ichi, uye zvitunha gumi zvavanakomana vaHamani zvirembedzwe pamutandarikwa wamapango uya.” Ipapo mambo akatema kuti zviitwe saizvozvo, chirevo chikatemwa muSusa vanakomana gumi vaHamani vaye vakarembedzwa pamutandarikwa paye. VaJudha vaiva muguta reSusa vakaunganidzanazve pamusi wegumi nechina wemwedzi waAdhari, vakauraya mazana matatu avarume vomuSusa asi hapana chavakapamba. VaJudhawo vakanga vari mune dzimwe nyika dzomunyika yaMambo, vakaunganawo kuti vazvidzivirire. Vakawana zororo kuvavengi vavo nokuuraya zviuru makumi manomwe avanhu ane zviuru zvishanu vaivavenga asi havana chavakapamba. Uyu waiva musi wegumi nechitatu wemwedzi waAdhari. Pazuva regumi nechina, vakazorora vakariita kuti rive zuva guru ramabiko nerokufara. Asi vaJudha vaive muguta reSusa vakaunganidzana pazuva regumi nechitatu neregumi nechina vakazozorora pazuva regumi nechishanu vakariita zuva guru remabiko nerokufara. Naizvozvo vaJudha vomumamisha vanogara mumaguta asina masvingo, vanochengeta zuva regumi nechina remwedzi waAdhari sezuva rokufara neremabiko nezuva rokuzorora zvavo vachifaranuka nezuva rokutumirana zvipo zvezvokudya zvakanakisisa. Modhekai akanyora zvinhu izvozvi akatumirawo tsamba kuvaJudha vaiva munyika dzose dzamambo Ahasuerusi, dzose zvadzo dzokure nedzepedyo, achivati vanofanira kuchengetawo zuva regumi nechina remwedzi waAdhari uyewo nezuva regumi nechishanu remwedzi wakarewo gore negore. Akavati vaachengete samazuva akawana vaJudha zororo kuvavengi vavo, uye semwedzi wavakasandurirwa zvinhu, kusuruvara kukaitwa kufara, kuungudza kuchiitwa zuva rokufaranuka vagoaita mazuva emabiko neokufara, mazuva okutumirana zvipo zvezvokudya zvakanakisisa ivo pachavo nokuvarombowo. Nokudaro vaJudha vakatanga kuita basa iri ravakanga vavamba uye sokunyorerwa kwavakanga vaitwa naModhekai pamusana pokuti Hamani muAgagi mwanakomana waHamedhata muvengi wavaJudha waakanga aitira vaJudha bangano rokuvaparadza vatoshandisawo Puri, chin'ange ichocho kuitira kuti vavazhanye vavaparadze. Asi pakazosvika Esita pana mambo, iye mambo akatema zvirevo zvakaita zvokunyorwa kuti bangano rake rakaipa raakanga arongera vaJudha ripfukire Hamani wakare uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamutandarikwa wamapango. Naizvozvo vakatumidza mazuva iwaya zita rokuti Purimu zvichibva kune izwi rokuti Puri. Saka naizvozvo, pamusana pezvose zvakanga zvakanyorwa mutsamba iyoyo nedzavakanga vasangana nadzo panyaya iyoyi nezvakanga zvavawira; vaJudha vakazviisira murao, ivo pachavo navana vavo nevose vakanga vabatana navo wokuti: vaifanira kuzochengeta mazuva maviri iwaya gore negore pasina zvokumborega kuachengeta, vachiachengeta somunyorerwo wazvakaitwa uyewo panguva yacho yakatemwa; uye kuti mazuva iwaya, mazuva anofanira kurangarirwa nokuchengetwa muchizvarwa choga choga mhuri nemhuri, nyika nenyika, guta neguta; uyewo kuti mazuva iwaya ePurimu haafanire kudarikwa pakati pevaJudha kunyange kuti zvokurangarira mazuva iwaya zvipere pakati pavana vavo. Vahosi, Esita, mwanasikana waAbhihairi nomuJudha uya Modhekai, achishandisa ukuru hwose hwaaiva nahwo, akanyora achinyatsotsigira tsamba yechipiri iyi yezvePurimu. Matsamba akazotumirwa kuvaJudha vose kunyika zana namakumi maviri dzine nomwe dzoumambo hwaAhasuerusi dziine shoko rorugare nechokwadi rokuti: mazuva iwaya ePurimu anofanira kuchengetwa panguva yawo yakatemwa sokutemerwa kwakanga kwaitwa vaJudha vatemerwa nomuJudha uya Modhekai, navahosi Esita, uyewo sokuzvimisira murao kwavakanga vaita ivo pachavo navana vavo panyaya dzokutsanya nokuungudza kwavo. Chirevo ichi chavahosi vamambo Esita chakasimbisa nyaya idzodzi dzezvePurimu zvikatonyorwawo mubhuku. Mambo Ahasuerusi aiteresa mutero nyika iyoyo nenyika dzokumahombekombe kwegungwa. Noukuru hwake nesimba raaiva naro, mabasa ose aakaita nenhoroondo chaiyo izere yokududza pachena ukuru ukuru hwaModhekai hwaakapiwa naiye mambo zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo ePezhiya neeMidhia. Ndokusaka muJudha uyu Modhekai aiva mutevedzeri wamambo Ahasuerusi pachigaro. Akanga ari mukuru mukuru chaiye pakati pevaJudha ari munhu aizikanwa noruzhinji rwehama dzake, pamusana pokuti aida kuti zvinakire hama dzake; akanga ari munhu wokutaura zvorugare kuvanhu vorudzi rwake. Kwaiva nomumwe murume munyika yeUzi ainzi Jobhu. Murume iyeyo aiva munhu akarurama, ari pachokwadi, aitya Mwari uye munhu wainzvenga zvakaipa. Akabereka vana vakomana vanomwe uye vasikana vatatu, aiva nehwai zviuru zvinomwe, nengamera zviuru zvitatu nezvipani mazana mashanu amadhonza, namazana mashanu amadhongi makadzi navaranda vazhinji kwazvo, zvokuti aiva nomukurumbira kupinda vamwe vanhu vose vokumabvazuva. Vanakomana vaJobhu vaipota vachiita mabiko mumisha yavo, mumwe nomumwe aine chijanha chezuva rake. Vaindokokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuti vadye nokunwa pamwechete navo. Paainge mazuva iwayo amabiko apera, Jobhu aitumira nhume yokuti vazomuchenura. Aifumomuka rungwanani-ngwanani achipira zvibayiro zvokupisa maererano nouwandu hwavo, nokuti Jobhu aiti vangadaro vanakomana vake vakatadzira Mwari vachimushonha mumwoyo yavo. Jobhu aiita saizvozvo nguva dzose. Zvino nerimwe zuva zvakazoitika kuti vana vaMwari vakauya kuzozviratidza pana Tenzi. Satani akauyawo ari mukati mavo. Tenzi akati kuna Satani, “Uri kubvepi?” Satani akapindura Tenzi achiti, “Ndanga ndichingodzengerera zvangu nenyika ndichifamba-famba mairi.” Tenzi akati kuna Satani, “Wati wambofungisisa here nezvomuranda wangu Jobhu kuti hakuna akafanana naye panyika. Munhu akarurama, ari pachokwadi anotya Mwari uye anonzvenga uipi.” Satani akapindura Tenzi achiti, “Iye Jobhu anotya Mwari mahara here? Handiti makamutenderedza norumhanda iye nemba yake uye zvose zvaanazvo kumativi ose? Makakomborera basa raanoita namaoko ake. Makaita kuti zvinhu zvake zviwande panyika. Ingotambanudzai ruoko rwenyu mungobata chete zvose zvaanazvo muone kuti haakushonhei here pameso penyu chaipo” Tenzi akati kuna Satani, “Zvakanaka, zvose zvaanazvo zvava mumaoko mako, asi iye pachake usambomubatabata zvako.” Saizvozvo Satani akabva abva zvake panaMwari. Rimwe zuva zvakaitika kuti vanakomana navanasikana vake vakanga vari pakudya zvavo nokunwa waini mumba yomukomana wavo mukuru, kwakauya nhume kuna Jobhu ichiti, “Nzombe dzanga dzichirima, madhongi achifura zvawo pedyo nadzo. VaSebhiya vauya vakazvitora vakauraya vashandi namapakatwa, ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.” Achiri kutaura kudaro, kwakasvika mumwe achitiwo, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa hwai navashandi ukavaroromesa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.” Achiri kutaurawo kudaro, kwakauyazve mumwe achiti, “VaKaradhiya vaita mapoka matatu ndokubva vaita chivhundumukira pangamera vakaenda nadzo. Vauraya vashandi namapakatwa. Ini ndoga ndini ndangopunyuka kuzokutaurirai.” Achiri mukutaura mumwezve ndiye vhu, akati, “Vana venyu vanga vachidya nokunwa zvavo waini mumba yomukoma wavo mukuru. Kwabva dutu guru ravhuvhuta nokugwenga rikarova imba iyoyo kumativi mana ikakoromokera pavadiki ivava vakafa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.” Ipapo Jobhu akasimuka akabvarura gemenzi rake. Akaveura musoro wake ndokuti pasi zvambarara achinamata. Akati: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndisina chandakapfeka ndichadzokerazve ndisina chandakapfeka; Tenzi ndiye akapa; Tenzi ndiye atora. Zita raTenzi ngarirumbidzwe.” Munaizvozvi zvose Jobhu haana chaakakanganisa kana kupa Mwari mhosva. Nhanho yechipiri. Pakaitazve rimwe zuva rokuti vana vaMwari vakauya kuzozviratidza pana Tenzi. Satani akauyawo ari mukati mavo kuzozviratidza kunaTenzi. Tenzi akati kuna Satani, “Uri kubvepiko?” Satani akapindura Tenzi achiti, “Ndanga ndichidzengerera nenyika ndichifamba-famba zvangu mairi.” Tenzi akati kuna Satani, “Wakazombofungisisa here nezvomuranda wangu Jobhu kuti hakuna akafanana naye panyika. Munhu akarurama, ari pachokwadi anotya Mwari uye anonzvenga uipi?” Munhu anoramba akasimba paururami kunyange wakandiitisa kuti ndimuparadze pasina chikonzero. Satani akapindura Tenzi achiti, “Ganda ngariitwe mutengano webveni neganda. Pane zvoupenyu, munhu anoripa nazvose zvaanazvo. Ingotambanudzai zvenyu ruoko rwenyu mubate bvupa rake kana nyama yake, anokutukai imi, muripo kudai.” Tenzi akati kuna Satani, “Hoyoka ari mumaoko mako asi upenyu hwake huchengetedze.” Naizvozvo Satani akabva abva pana Tenzi akandorarisa Jobhu namaronda akaipa kubvira mutsoka kusvika mumusoro make. Jobhu akatora chaenga chaaizvikwenya nacho achigara zvake kumadota. Mudzimai wake akamuti, “Mucharamba makangoomererana noururami hwenyu here? Dai matoshonha zvenyu Mwari mufe.” Asi Jobhu akati kwaari, “Inga unotaura serimwe benzi ravakadzi. Saka tinofanira kungogamuchira zvakanaka chete kuna Mwari asi zvakaipa torega nhai?” Muna zvose izvozvi Jobhu hapana chaakataura nomuromo wake chaakatadzira nacho Mwari. Shamwari dzaJobhu. Zvino kuzoti shamwari nhatu dzaJobhu padzakanzwa nhamo dzose dzakanga dzawira Jobhu, dzakauya kwaari, imwe neimwe ichibva kunzvimbo yayo. Kwaiti Erifazi muTemani naBhiridhadhi muShuhi naZofa muNaamati. Vakanga vatenderana kuuya pamwechete kuzobata maoko Jobhu vachimunyaradza. Pavakaona Jobhu nokure havana kukwanisa kumuziva. Vakahwihwidza kuchema vachisvimha misodzi. Vakabva vabvarura magemenzi avo vakazvidira ivhu mumusoro vachiritiburirira kudenga. Vakagara pasi naye siku nesikati kwamazuva manomwe pasina aimbotaura naye izwi rimwechete zvaro nokuti vakaona kuti kurwadziwa kwake kwakanga kwakanyanya kwazvo. Mushure maizvozvo Jobhu akademba kuti dai zuva rake rokuberekwa risina kumbovepo. Jobhu akati: “Dai zuva randakaberekwa ratsakatika zvaro pamwe nousiku hwakanzi kwabatwa pamuviri mwana mukomana. Dai zuva iroro rangove zvaro zarima Mwari ari kumusoro dai arega zvake kuritsvaka uye dai chiedza charega kurivhenekera. Dai rangokwidibirwa nezarima uye nerima rakati kwirindindi sorufu. Dai rangonzi gude-gude negore rive rinotyisa nokusvipa kwaro. Usiku ihwohwo ngahunzi pute nezarima. Pamazuva egore ngarirege kuva zuva rorufaro; ngarirege kuva rimwe ramazuva egore, rirege kumbopinda zvaro mukuverengwa kwemwedzi. Ngahuve usiku husina mbereko hurege kumbonzwika mupururu wokufara. Vanorengerera rushambwa dai vangorirengerera, vanokwanisa kumutsa zigaranyanya. Nyenyedzi dzamambakwedza aro ngadzisvibe. Ngaritarisire chiedza asi risambochiwana rirege kumboona kana romoromo zvaro ramambakwedza nokuti harina kupfiga misuo yemimba yaamai vangu kana kuti meso angu asatarise nhamo. Ndakaregereiko kungofa zvangu pakuberekwa, ndichingoti budei mudumbu ndichibva ndangofa zvangu. Zvakamboitikireiko kuti ndive pamakumbo uye kuti avepo mazamu okuti ini ndiyamwe? Nokuti iye zvino ndingadai ndakarara zvangu muguva, ndinyerere ndiine zororo pamwechete namadzimambo namakurukota enyika vakazvivakira matongo, kana kuti namachinda ane ndarama, akanga akazadza dzimba nesirivha. Ko ndakaregereiko chaizvo kungovawo zvangu gavamwedzi risingazivikanwi zvaro sesvava dzisina kumboona chiedza? Ikoko vaipi zvokutambudza zviya zvinopera; ikoko vanenge vaneta nebasa vanowana zororo. Ikoko vasungwa vanozorora pamwechete; zvokukararirwa nomushandisi webasa vanenge vasisazvinzwi. Vanhuwozvavo navakuru vakuru variko uye varanda vano rusununguko kuna vatenzi vavo. Ko chiedza chinopirweiko vari munhamo zvavo uye upenyu hunopirwei vari kushushikana mumwoyo? Vanosuwira rufu asi rufu rwusingauye, vanoruchera kupinda pfuma yakavandika, vanotopembera zvikuru nokufara kana vawana zvavo guva? Chiedza chinopirwei munhu apiwa chidzimira akaiswa naMwari parumananzombe. Mafemo angu ndiwo atokunda chokudya changu. Kugomera kwangu kunoteurirwa pasi semvura. Nokuti chandinotya chacho, ndicho chinondiwana; chandinozeza ndicho chinondiwira. Handina kugadzikana mwoyo uye handina runyararo mumwoyo mangu, ndisati ndambozorora nhamho yauya.” Hurukuro dzokutanga. Erifasi muTemani akapindura achiti, “Kuri kuti munhu ataura nemi mungashatirwe nazvo here, asi ndiani angarege kutaura? Inga makadzidzisa vazhinji mukasimbisa maoko asina simba. Mashoko enyu akatsigira ainge odzadzarika mukasimbisa mabvi akarukutika. Asi nhasi zvakuwanaiwo, zvino motadza kugadzikana. Asi zvino zvakubatai mabva mava kurasa mwoyo. Handiti kutya kwenyu Mwari ndiko kwamunovimba nako, kuva pachokwadi mumaitiro enyu kuri iko chitarisiro chenyu? “Chimbozvifungaiwo zvenyu kuti ndiani aiva mururami akaparara uyewo ndokupi mururami kwaakaparadzwa? Zvandakaona zvangu ndezvokuti vanorima huipi nokudyara nhamo vachakohwawo zvimwechetezvo, vanoparadzwa nefemo raMwari vachatsakatiswa nomweya wehasha dzake. Kuomba kweshumba kwapera, nenzwi rinotyisa remhondoro. Mazino eshumba dzichiri kuzvinzwa akatyorwa. Gono reshumba riri kuparara nokushaya nyama vana veshumbahadzi vapararira. “Zvino pane shoko rakaunzwa kwandiri muchivande nzeve yangu yakanzwa zevezeve raro. Pfungwa yechiroto chinotyisa vanhu paye patinobatwa chaizvo nehope. Ndakawirwa nokutya kukuru uye ndakadedera zvakaita kuti mapfupa angu angwedereke. Mhepo yakati fefefe napandiri mvere dzomuviri wangu dzikamira kuti twi. Pakamira chimwe chinhu chandisina kuona mamiriro acho chakamboti mirei pamberi pangu ndokuti ziro-o ndokuzonzwa izwi richiti. “Ko iye munhu zvake anofa angava munhu akarurama here pamberi paMwari? Munhu angave mutsvene here pamberi pomusiki wake? Haavimbi kunyange nevaranda vake kunyange vatumwa anovabata nemhosva. Ko kutozotiwo zvavo vanogara mudzimba dzevhu dzine ugaro hwadzo muvhu vanofa sebetebeswa. Pakati pamangwanani namanheru vanoparadzwa, vanotsakatika pasina anombozviona. Kunyange tambo yakatumba kavo yavhomorwa vanofa vasina kana ungwaru.” Chidanidziraka tione kana pane achakupindura ipapa ndiani pakati pavatsvene wauchazemberana naye? Kuzvidya mwoyo kunouraya munhu kuya, kushatirwa kunouraya marema. Ndakamboona ini benzi richidzika midzi. Pakarepo ndakati nzvimbo yake iwirwe norushambwa. Zvokugarika kwavana vake hapana, padare mhosva ndeyavo chete, wokuvamiririra panenge pasina. Zvaanokohwa zvichadyiwa zvazvo navane nzara vachizvitora kunyange mukati meminzwa, vane nyota vachitozvitsvira mwoyo. Uipi haumeri pavhu nhamo hainyuki pasi. Munhu ndiye anotozviparira, sezvinoita shiri ndidzo dzinotobhururuka mudenga. Kana ndirini changu kutsvaka Mwari zvose zvinondinetsa ndozviturira kuna Mwari. Anoita zvinhu zvikuru zvisingabatiki zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki. Anonaisa mvura panyika anotuma mvura paminda. Anosumudzira pamusoro vanozvidukupisa vanochema anovasimudzira mwoyo norufaro anokangaidza mazano avane ujarijari kuti zvavanobata zvisabudirire. Anobata vakachenjera muujarijari hwavo, zvirongwa zvavanyengedzi hazvitani kushaiswa basa. Vanosangana naro rima zuva rakacheka nyika, vagoputaira masikati machena sokunge usiku. Asi anonunura varombo pamiromo yavo navasina chavanacho mumaoko avane simba. Nokudaro varombo vanowana chitarisiro vezvekushaisa vanhu ruenzaniso vachimbopfumbirawo muromo. Zvake munhu anotsiurwa naMwari saka usazvidze shamhu yaSamasimba. Anoruma achifuridzira, anokuvadza zvake asi maoko ake anorapa. Achakununura kunhamo runosvika rutanhatu rwose kechinomwe aka hapana nyatwa inozokubatabata. Panguva yenzara achakununura kurufu panguva yehondo achakununura kusimba rebakatwa. Achakuvanza kunhamo yavanotuka nomuromo. Hauchazotya kuparadza kana kwauya. Zvokuparadza nenzara uchazviseka zvikara zvenyika hauzombozvitya. Nokuti unenge une usahwira nematombo uye uchinzwanana nezvikara zvesango uchaziva kuti patendhe pako hapana njodzi, uchaongorora danga rako ugoona kuti hapana chisipo. Uchazvionawo kuti zvizvarwa zvako zvichawanda zvizukuru zvigoita souswa hwenyika. Uchasvika kuguva kwako wanyatsokwegura zvako. Sezvinoita tsanga yechisote chembesanwa inouya pokupurira panguva yayo. Vedu wee izvi takazvitsvaka, ndezvechokwadi. Teererai muzvizive kuti zvinokubatsirai. Jobhu akapindura achiti, “Dai kuungudzika kwangu kwaierwa! Dai nyatwa yangu yose yaiiswa muzviero. Yaitorema kupinda jecha regungwa. Pamwe ndokusaka mazwi angu arasikawo gwara. Miseve yaSamasimba yakabairira mandiri mweya wangu unonwa chepfu yawo. Kutyisa kwaMwari kwanangana neni. Mbizi kana ine uswa inokuma here? Mombe inokuma here yakatarisa uswa? Chinhu chisinganake chingadyike here chisina munyu? Ko chichena chezai chinonzwika kunaka here? Ndozvine kudya kuri mukanwa mangu kudya kunondisemesa. Dai zvangu ndaingowana zvandinokumbira. Dai Mwari aingondipawo zvandinosuwira. Dai zvaibvira kuti Mwari andiparadze. Andirove zvake andipedzisise zvake. Izvi ndizvo zvaitondinyaradza ndaitopembera kufara mukurwadziwa kusina tsitsi nokuti handina kuramba ini mashoko aiye mutsvene. Iro simba rangu nderipi zvaro zvokuti ndivi nomwoyo murefu? Iwo mugumo wangu chiiwo zvawo kuti ndiuitire mwoyo murefu kudaro? Iro simba rangu rakafanana nesimba ramatombo here? Kana kuti nyama yangu yakaita sendarira here? Chokwadi mandiri hamuna chimuko, kana chokubata chaicho hapana. Munhu anorega kunzwira tsitsi kushamwari yava kurasa mwoyo anofuratira kutya Mwari. Hama dzangu dzakandinyengedza samapopopo dzakaita somunoerera nemvura munozooma. Pasi perwizi panosvibira nemvura yakadzika inobva kuchando rwakafukidzwa namapopo emvura inobva kuchando chinonyungudika. Panguva yamadziya inonyangarika. Kana kwapisa chinonyangarika panzvimbo pawo ipapo. Dungwerungwe revenzendo rinotsaukira mvura, rinotetereka naro gwenga richitsakatika. Dungwerungwe revenzendo revokuTemani rinoitsvaka. Nedungwerungwe renzendo revokuShebha ndipowo pavanenge vakaisa mwoyo. Vanorwadziwa mwoyo nezvavanenge vakatarisira vanosvika vobva vangosvipa mwoyo. Mazwi akaomarara aJobhu. “Ndizvo zvamave kwandiri maona kutambura kwangu mukabva matya. Ndamboti ndipei chinhu here ini kana kuti mundiripire pfumbamuromo, kana kuti mundinunure mumaoko omuvengi kana kuti mumaoko avanondidzvinyirira? Dai muchitondidzidzisa ndainyarara zvangu muchindiratidzaka pandakakanganisa. Harisi simba iroro rina mazwi ari pachokwadi, zvino iko kutsiura kwenyu uku kunotsiureiko? Munongoda zvokukakavara namashoko chete nhai muchitora mazwi okurasa mwoyo sechinhu pasina? Inga mungatoitira nherera chin'ange imi muchitoitirana nharo dzomutengo, kutengesa shamwari. “Zvino chimbonyatsonditarisai muone, ndiri munhu here ini angareva nhema pamberi penyu? Sandukai musiyane nezvisiri izvo. Chitosandukai zvenyu nokuti hunhu hwangu hwavakuita sechinhu pasina. Pane zvandakanganisa here mukutaura kwangu? Imo mukanwa mangu mungatadze here kunzwa kuti izvi zvinhu zvinonaka?” Mazuva omunhu panyika haasi mazuva okushanda zvakaomarara here? Mazuva ake haana kuita here samazuva omushandi? Senhapwa inosuwira mumvuri, uye somushandi anosuwira mubayiro? Saizvozvo ndakatemerwa mwedzi yandisina chokuita nousiku hwokungotambura ndihwo hwandakapiwa. Ndikarara pasi, ndinenge ndichingoti ndichamuka rinhi? Asi usiku hwakareba ndinongoshanyarika kusvikira kwoedza. Muviri wangu unongova honye dzoga uye tsvina, ganda rangu rinongoti kakata kuoma pedzepo urwa puti. Mazuva angu anenge chivhimbo chomuruki kumhanya anopera pasina chitarisiro. Yeukai kuti upenyu hwangu hwakaita sefemo. Ziso rangu, zvakanaka, harichazombozvioni. Ziso riri kundiona, harichazondionizve, muchanditarisa asi ndichange ndisisipo. Sokumwararika kunoita gore richinyangarika, munhuwo anoenda kunzvimbo yavafi haadzokeko. Haadzoke kumba kwake nzvimbo yake haizombomuzivazve. Naizvozvo handimborega kutaura ndichangotaura chete mukushungurudzika mwoyo kwangu ikoko. Ndichanyunyuta mukurwadziwa mwoyo kwangu. Ko ndava gungwa here ini kana kuti zigaranyanya romugungwa zvomondiisira vokundigaririra kudai? Pandinenge ndoti aiwa mubhedha wangu wombondipawo kakuzorora, sofa rangu rimboyerura kugurukuta kwangu, ndipo pamunotondityisidzira muhope muchindivhundutsa nezviratidzo zvokuti ndinosarudza kudzipwa zvangu kana kufa pane kuva nomuviri wangu uyu. Ndavakutovenga upenyu hwangu; zvokugara nokusingaperi handichadi. Siyanai neni, nokuti mazuva angu akangoita sefemo. Munhu chiiwo zvake zvamunotomusimudzira pamusoro kudaro, munhu zvake zvamunotomufungawo kudaro, zvamunomushanyira mangwanani oga oga muchimuedza nguva iri yose? Uko kundiringisa mucharegawo rinhi? Kana kumbondipawo kanguva kokumedza mate? Kana ndikapara zvangu chitadzo chachinokuitai chii chaizvo, nhai imi mutarisi wavanhu? Ko maramba mangoti neni nangananga sei? Nemhaka yei ndave mutoro kwamuri? Munorega nei kundiregererawo chitadzo changu muchindibvisirawo uipi hwangu? Nokuti pari zvino ndicharara muvhu muchanditsvaka asi ndinenge ndisisiri chinhu. Mhinduro yaBhiridhadhi. Ndipo pakazopindurawo Bhiridhadhi muShuhi achiti, “Ucharamba uchitaura uchidai kusvikira riniko, mashoko ako achinge dutu remhepo kudaro? Mwari angaite zvisina ruenzaniso here? Samasimba angaite zvisina kururama here? Kana vana vako vakamutadzira akavaisaka mujambwa rokutadza kwavo. Ukatsvaka Mwari uchinamata kuna iye Samasimba, kana uri mutsvene wakarurama, anotokusimukira achikupa mubayiro wopokugara pakanaka. Kutangisa kwako kungave kuduku zvako asi kumagumo kwazvo zvichava zvikuru. “Chimbobvunzawo zvako zvizvarwa zvakapfuura, umborangarira zvakaonekwa namadzibaba. Nokuti isu tiri vazuroka isu, zvatinoziva hapana nokuti mazuva edu panyika akangofanana nomumvuri. Havangakudzidzise here vachitaura mazwi anobva mukunzwisisa kwavo? Idzo nhokwe dzingakure nhai pasina machakwi, tsanga dzingaite zararira here pasina mvura? Zvichina maruva hazvo uye zvisina kuchekwa zvinotangira zvimwe zvinomera kuuna. Ndiro gwara ravose vanokanganwa Mwari chitarisiro chaasiri munamati chinoparara. Chivimbo chake chinoita chimwandamwanda, chaanovimba nacho imba zvayo yebuwe. Anozendama paimba yake iyoyo asi kumira haimiri, anoti mbunde nayo asi haimiri. Muzuva anokasira kwazvo kukura achipasa kwazvo nhungiro mubindu rake rose. Midzi yake inomonererana namatombo kusvika paruware. Anogara pakati pamabwe kungodzurwa chete panzvimbo pake panoti hatimbokuziva Ndirwo chete rufarowo rwaanowana dzimwe dzinokura panyika dzotora nzvimbo yake. “Chinzwa, Mwari haarasi munhu asina mhosva. Iye haaitiwo ushamwari navanoita zvakaipa. Achakupa tsetswa zvokutoseka zvako. Nomuromo wako uchiita chikwee kuseka. Vanokuvenga vachazara nenyadzi. Tende ravaipi panenge pasisina.” Mhosva dzomunhu kuna Mwari. Zvino Jobhu akazopindurawo achiti: “Ichokwadi ndinoziva kuti ndizvo, ko munhu angazviti akarurama sei pamberi paMwari? Dai kuri kuti munhu anoda kukakavadzana naMwari munhu haimbokwanisa kumupindura muchuru chamazana chezvinoda kutaurwa. Mwari anoungwaru mumwoyo make ane simba guru guru. Ndiani angamirisana naye akabudirira? Iye Mwari anosudurutsa makomo, iwo asingambozviziva, paanoakudubura nehasha. Iye anondengendengesa nyika achiibvisa panzvimbo payo, misimboti yayo ichizunguzika. Anotaurira zuva kuti rirege kubuda iro richitorega kubuda nyenyedzi achidzikwidibira. “Ndiye chete akatatamura denga achitsokodzera masaisai egungwa. Ndiye akasika nyenyedzi idzi dzinoti, hweva, nechinyamutatu, nechinyamutanhatu nenyenyedzi dzokuMaodzanyemba. Anoita zvinhu zvikuru zvisingabatiki zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki. Tarisai muone anondipfuura napapa asi handimuoni anouya napandiri asi handizvioni. Hamuone kuti anogona kubvuta asi angamurambidze hapana. Ndiani angamuti chii chauri kuita? Mwari haachadzoka pahasha dzake kunyange vabatsiri vaRahabhu vakatokotama pasi pake. “Zvino iniwo zvangu ndingamupindurewo ndichiti kudii, ndopandingasarudzawo here ini mazwi okukakavadzana naye? Kunyange ndisina mhosva handikwanisi kumupindura. Ndinotofanira kuteterera kuitirwa tsitsi naiye anondipa mhosva. Kunyange zvangu ndikamudaidza akadavira handifunge kuti anomboteerera zvandinotaura. Anotondipwanya-pwanya nedutu remhepo anotondivirikidza maronda pasina chikonzero. Haambondipa nguva yokutura mafemo asi anotondizadza neshungu dzinorwadza. Kana kuri kumumanikidza, ungamanikidze Mwari here? Kana kuri kukwira dare, ungakwidze Mwari dare here? “Kunyange ndakarurama muromo wangu pachangu unondipa mhosva. Kunyange ndisina mhosva anondibata nemhosva. Handina zvangu mhosva asi handichisina hanya nezvandiri ndava kutosema upenyu hwangu. Naizvozvo chimwechete chandinotaura ndechokuti anoparadza vasina mhosva navaipi. Kana nyatwa ikayerekana yauraya munhu anotoseka zvake jambwa romunhu wakanaka. Nyika yakaiswa mumaoko avaipi, Mwari akazarira maziso avatongi vayo kana asiri iye anoita izvozvi ndiani ari kuzviita? “Mazuva angu anomhanya kupinda mumhanyi anomhanya zvikuru, anotiza pasinawo chakanaka chaanoona. Anoyerera zvawo sehwato hwetsanga segondo ravakundohatura nyama yaro. Ndikati regai ndichikanganwa zvangu kunyunyuta kwangu ndisiyane nokuva nouso hwakati surududu ndive ndinonyemwerera, ndinongoramba ndichitya nhamo dzangu dzose. Ndinoziva kuti hamumbonditi ndiri munhu wakanaka. Ndiri munhu anonzi ane mhosva chandinotamburira zvisina maturo chii zvangu? “Kana ndikashamba zvangu nemazaya echando akanyungudika, kana ndikashamba maoko angu nesoda, munotondikanda mundove ndigosemwa nembatya dzangu. Nokuti Mwari haasi munhu seni wandingagonewo zvangu kupindura zvokuti ndingamirisanewo naye mudare. Hapana angatienzanisire nyaya yedu anogona kubata-bata kumativi ose. Ngaarege kuti mubadha wake uve pandiri, kumutya zvikuru ngakurege kundisokosa, ipapo ndingataure ndisingamutyi nokuti ndinoziva kuti hazvisizvo zvandiri.” Zvoupenyu handichazvida ndichataura kunyunyuta kwangu ndakasununguka. Ndichitaura zvinobva mukurwadziwa kwangu mwoyo. Ndichataurira Mwari kuti, “Regai kundipa mhosva ndizivisei mhosva yamunayo neni. Zvakanaka nhai kwamuri kudzvanyirira nokushora chisikwa chamakaita namaoko enyu muchifarira urongwa hwavakaipa? Muna maziso avanhu here enyama? Munoona sokuona kunoita vanhu here? Mazuva enyu akangoita here samazuva avanhu, kana kuti makore enyu akangoita samakore avanhu, zvamunototsvaka kudai uipi hwangu muchivhima kwazvo chitadzo changu imi muchiziva zvenyu kuti ini handina mhosva uye kuti wokundinunura mumaoko enyu ipapa hapana? “Imi namaoko enyu ndimi makandiumba imi, mukandisika asi zvino mavakusandukazve muchindiparadza. Yeukai kuti imi makandiumba semunyakwe zvino mondidzorera kuhuruva zvakare here? Hamuna here kundidurura somukaka mukandikodzeka somukaka wakakora? Inga makandipfekedza wani neganda nenyama mukandibatanidza mapfupa namarunda. Nomwoyochena wenyu makandipa upenyu, mukunditarira kwenyu makandichengetedza upenyu hwangu. “Asi zvinhu izvi makazvipfundirira mumwoyo menyu. Ndinozviziva kuti ndochaiva chinangwa chenyu chokuti kana ndapara chitadzo, imi mobva manyatsozviongorora; pachitadzo changu ichocho musingandipembedzi. Dai kuri kuti ndakashata, nhamo ineni kana dai kuri kuti ndakarurama, handipasimudze musoro nokuti ndizere nenyadzi uye ndakati tindindi mukurwadziwa kwangu. Ndikada kuti ndipasimuke munondivhima seshumba, ndipo pamunotoratidza masimba enyu anotyisa. Ndipo pamunotounza zvapupu zvitsva muchipamhidzira kushatirwa kwenyu hondo dzenyu ndipo padzinotovirikana samasaisai kuteverana. “Chamakandiburitsira mudumbu chii chaizvo? Dai ndakafa zvangu pasina ziso rakandiona, ndakaita zvangu somunhu asina kumbovapo ndakatakurwa kubva munhumbu ndichiendwa neni kuguva. Iwo mazuva angu haasi mashomanana here? Ko munoregereiko kumbobvisawo ziso renyu pandiri ndimbotiwo faranukei zvangu ndisati ndaenda kunzvimbo isingadzokwi, kunyika yenhamo nerima guru, nyika yenhamo nenyonganyonga, chiedza choko irima zvaro.” Zofa muNaamati akazotaurawo achiti, “Iwo mashoko akawanda kudai haafaniri kupindurwa here? Iko kutaurisa kunoreva kuti munhu akarurama nhai? Iko kubvotomoka kwako uku kunofanira kuita kuti vanhu vanyarare nhai? Kana ukataura marara poshaya wokukutsiura here? Nokuti iwe unoti chidzidziso chako ndicho chechokwadi; woti saka ndakachena panaMwari. Dai waro Mwari akambotaura, ambozarura muromo achitaura kwauri. Ambokunyevera zvakavandika zvoungwaru hwake hunoshaisa vangwaru mazano. Ndopaungaone kuti Mwari arikutokukanganwira zvimwe zvakaipa zvako. “Ungakwanise here kuera udzamu hwaMwari? Ungakwanise here kusvika kumuganhu waSamasimba? Ko zvino zvahunopfuura matenga ungazvigone here iwe? Zvahwakadzika kupinda nzvimbo yavafi ungazivei? Hwakareba kupinda nyika wakapamhama kupfuura gungwa. Kana akakuvinga, akakusunga akakukwidza dare angamudzivise ndiani? Vakaipa anovaziva zvakaipa zvavanoita anozviona achitonyatsozvicherechedza. Benzi romunhu ringatozonzwisisa kana mbizi yabereka munhu. “Dai kuri kuti unogadziridza hana yako ugosimudzira maoko ako kwaari, dai ukakanda pasi kure uipi hwaunaho uchirega kuita ukama nechakaipa; pakadaro, kana kusimudza musoro ungasimudze pasisina mhosva, wasimba uye usisatyi. Ungatombokanganwa nhamo, uchitodziyeuka semvura yakayerera. Upenyu hwako hunopenya kupinda masikati; rima rahwo, richiita samambakwedza. Uchava nechivimbo nokuti unenge une chitarisiro, unenge wakanyatsodzika midzi wonyatsozorora wakagadzana mwoyo. Kana worara unonorara zvakanaka pasina anokutyisidzira vazhinji vachatsvaka ushamwari newe. Maziso avakaipa acharezuka, vasina pokupunyuka napo, chavanenge vongoda kufema femo ravo rokupedzisira.” Mhinduro yaJobhu kuna Zofa. Jobhu akapindurawo achiti, “Ichokwadi kuti imika ndimi vanhu uye kuti pamunongofa, ungwaru ndipowo pahunobva hwatoparara. Asi ndine njerewo sezvamakangoitawo imi. Ini handisi pasi kwamuri. Asingazivi zvinhu zvakadai ndiani? Ndiri chiseko zvacho chenyika kushamwari dzangu ini ndaidanidzira kuna Mwari, iye akatondipindura. Iyeni mururami, munhu ari pachokwadi ndini ndava chiseko zvacho chenyika. Kuna vagere zvavo zvakanaka, vanotambura vaya, varombo zvawo vanoshoreka. Anodzadzarika vanototi ngaasandidzirwe. Asi matendhe amakororo akagarika, vanoshatirisa Mwari hapana chinovawana vanotoita Mwari wokusevenzesa zvavo. “Pamwe ungade zvako kubvunza mhuka dzinotokudzidzisa kana kuti shiri dzedenga dzingatokutaurira, kana kuti utaure nezvinomera panyika zvichakufundisa, kana kuti hove dzegungwa dzichakutsanangurira. Chii pakati pazvo chisingazivi kuti ndiye Tenzi akazvisika? Upenyu hwechinhu chose chinofema huri mumaoko ake uye upenyu hwavanhu vose. Handiti nzeve inogona kusianisa mazwi here sezvinongoitawo mukanwa munogona kusianisa chokudya nechokudya? Ungwaru huri muna vakura kunzwisisa kunouya nokuendadzana kwenguva. “Asi Mwari ndiye ano ungwaru nesimba ana mazano nokunzwisisa. Akapaza, hapana angavake akazaririra munhu, hapana angazarure. Akamisa mvura, kunooma, akaituma inoita murove. Iye ane simba noungwaru, vanonyengedzwa navanyengedzi vacho vose ndevake. Anotorera makurukota ungwaru hwavo, vatongi achivapazanisa musoro. Anosunungura zvakasungwa namadzimambo achivasunga netambo muchiuno. Anotorera vapristi ungwaru, vakuru vakuru achivabvisa pazvigaro. Anotorera mazano vanovimbwa navo, vakuru vakuru achivatorera kunyatsoona zvinhu nemazvo. Anonyadzisa machinda, vana masimba anovatorera ukuru hwavo. Anoburitsa pachena zvakavandika zviri murima achiita kuti rima riti ngwee nechiedza. Anosimudzira marudzi avanhu pamusoro achiaparadzazve, anokudzakudza marudzi oamwararisa. Anopazamisa musoro madzimambo avanhu venyika, achivadzungaidza murenje risina nzira. Vanoputaira murima vasina mwenje, achivaita kuti vadzadzarike somunhu araradza.” Mwari neshamwari handivaonerwi pavo. Ndakazviona ini nameso angu, ndakazvinzwa nenzeve dzangu ndikazvinzwisisa. Ndinenjerewo sezvamakangoita imi. Ini handisi pasi kwamuri. Chandingade ini, kutaura naiye Samasimba, chandinoda ini, kuzvidavirira mhosva yangu pana Mwari. Asi imi muri vokubata vanhu kumeso nenhema, mose murivarapi vasina maturo. Dai maitonyarara zvenyu, hwaitova ungwaru chaihwo kwamuri. Chinzwai zvino zvandinofunga muteerere mumbonzwawo zvandinokutaurirai nomuromo wangu. Munoda kutaura muchimiririra Mwari nemanyepo nhai, muchimumiririra nounyengedzi? Mavakutoita zvechizivano naye nhai, ndimi mava kureverera Mwari pamhosva yakeka imi? Munomira papi, imi, akada zvake kunyatsokuvhurumutsai? Anotokutsiurai kana mukaratidza rusarura rwamunoita muchivande. Ukuru hwake haungakutyisei here? Kutyisa kwake hakungakudederesei here? Zvirevo zvenyu marara zvawo. Mazwi enyu okuzvidzivirira munyakwe zvawo. Chimbonyararai ndimbotaurawo. Kwandiri, chauya chauya. Ndavakutorovera mwoyo kudombo, ndichitobatira ura hwangu mumaoko. Kufa kufa zvako hapana chokuita. Ndichatongozvimiririra mhosva yangu pamberi pake. Izvozvi ndizvo zvichandinunura nokuti munhu asiri munamati haangaiti chivindi chokuenda pana Mwari. Chinzwai munzwisise mazwi angu muteererese zvandavakukutaurirai; chionai kuti ini ndanyatsogadzirira nyaya yangu ndinozviziva kuti ndichapembedzwa. Ndianiwo zvake angakwikwidzane neni, ini ndingatobva ndanyarara iye zvino ndife zvangu. Ingondibvumirai zvinhu zviviri chete handizohwanda-hwanda pamuri. Chimbobvisai shamhu yenyu pandiri uye kukutyai imi ngakurege kundidederesa. Pakadaro ndidaidzei, ini ndichapindura kana kuti regai nditange kutaura imi mundipindurewo. Zvakaipa zvangu zvingani uye zvitadzo zvangu zvingani? Ndiziviseiwo zvikanganiso zvangu nechitadzo changu. Munozvivanzireiko uso. Muchindiona somuvengi wenyu? Munoda kutyisidzira shizha riri kupupuruka here? Munoda kudzingirira hundi zvayo yakawoma here? Munonyora imi zvinorwadza pamusoro pangu muchiita kuti zvandakatadza ndichiri mudiki zvindipfukire. Mukandisunga makumbo nengetani munoongorora kwazvo mafambiro angu muchiti tsikanditsikewo muchiongorora pandatsika. Munhu anosakara sechinhu chavakuora semvemve rinodyiwa nezviundudzi. Munhu akaberekwa nomunhukadzi mazuva ake mashoma, uye azere nenhamo. Anoti bhabhanu seruva ozouna anomhanyamhanya somumvuri uye haagari. Chinhu chakadai ndicho chamungazarurirewo here maziso enyu kutarisa? Ndiye wamungakwirirana naye dare here? Ndiani angaburitse chinhu chitsvene mune chan'ora; hapana, sokuti mazuva ake akatotemwa kuwanda kwawo? Zviri kwamuri kuti mwedzi yake mingani. Imi ndimi makamuisira migano yaasingapfuuri. Chimbobvisai ziso renyu paari, murege ambopedzawo zuva rake murugare somushandi. Zvawo muti, une chitarisiro, ukatemwa unotungirazve. Madungirwa awo haashaiki. Kunyange mudzi wawo ukachembera muvhu dzinde rawo rikafa muvhu, asi kungonhuwidza mvura chete unotungira uchitoita mapazi somuti mudiki. Asi munhu anofa obva aparara achiva chinhu pasina anofema femo rake rokupedzisa; anozova papiwo pakadaro? Sezvinongoita mvura kukwenguka mudhamu rwizi rwunopwa rwooma, ndozvinoita munhu akaradzikwa haazombomuki kusvikira matenga aparara, haambomuki muhope dzake idzodzo. Dai mukangondivanza zvenyu munzvimbo yavafi, mundivige zvenyu imomo, kusvikira hasha dzenyu dzapera mugotema zvenyu nguva yokundiyeuka. Kana munhu akafa, angazova mupenyu zvakare here? Saka mazuva angu ose okushanda ndinenge ndomirira kusvikira nguva yangu yokusunungurwa yasvika. Ndipo pamunozondidaidza, ini ndodavirawo munengewo moda kuona chinhu chamakasika. Zvokuverenga nhanho nenhanho yangu mungadai musingaiti, zvokuramba mangoti nangananga nechitadzo changu morega. Maimbosungirira mhosva dzangu mutsapo uye uipi hwangu maimbohukwidibira. Asi sezvinongoita gomo kuti rinokoromoka richizoparara, sokugudumutswa kunoitwa dombo panzvimbo paro, sokudyiwa kunoitwa dombo richisvuurwa nemvura uye sokukukura ivhu kunoita mapopopo, ndiko kuparadza kwamunoita chitarisiro chomunhu. Munomukurira zvachose, ndokutoenda ikoko munomusandura uso, mobva mamupfuudza. Vana vake vakarumbidzwa, iye haambozvizivi, vakaninipiswa haazvioni. Chaanonzwa kurwadza ndochinenge chatomusvika pamuviri pake chake kuzvichema iye pachake. Erifasi muTemani ndopaakazopindurawo achiti: “Iye munhu woungwaru anofanira kuita mwando here pakupindura achitozviti shutu kudaro nemwando wokumabvazuva, achizvidzivirira namazwi asina chimuko namashoko asina maturo? Zvokuremekedza Mwari wavakuti ngazvipere uchitotadzisa anoda zvake kunamata Mwari. Uipi hwako ndihwo hunokutunza kuva napamuromo, uye unosarudza matauriro ohujarijari. Muromo wako ndiwo unokubatisa nemhosva kwete ini. Muromo wako ndiwo unopupura kuti une mhosva. “Ndiwe wokutanga kuberekwa here iwe? Wakatangira makomo kuzvarwa here? Zvinoreva here kuti wakamboteerera padare raMwari, iwe? Saka unoti ungwaru ndohwako iwe chete nhai? Chaunoziva iwe chatisingazivi chii? Chaunonzwisisa chatisinganzwisisi isu chii? Vachena musoro navakwegura varimo mukati medu, vakuru kuna baba vako. Iwo mazwi aMwari okunyaradza aita madiki kwauri nhai, kanawo mazwi akapfava ari kutaurwa kwauri? “Unoitirei manyawi kudai uchitoringaringa maziso kudaro, zvaunotovirukira Mwari nehasha kudaro uchingobvotomoka zvako kutaura? Munhu angave mutsvene sei chaizvo? Munhuwo zvake akaberekwa nomunhukadzi angave pachokwadi sei? Inga Mwari haavimbi navatsvene vake wani, Kunyange matenga chaiwo haana kuchena kwaari. Ko kutozotiwo zvake munhu akanyangara ane tsika dzakaora anonwa uipi semvura. Chiteerera unzwe ndikudziidzise ndichakutaurira zvandakaona, zvakataurwa navangwaru, zvisina kuvanzwa namadzibaba vavo, ivo voga vakapiwa nyika vakanga vasina mutorwa pakati pavo. Upenyu hwavakaipa inhamo yoga isingaperi, munhu anobata vamwe noutsinye makore aakapiwa ndookutoverenga. Inogara iri mhere chete munzeve dzake, akati agarike, yauya mharadzi. Haangambofunga kuti murima achamubuda. Asi chaanoziva ndechokuti chake chaatemerwa kuuraiwa nebakatwa ichiva nyama yamagora. Anoziva kuti zuva rokuparadzwa kwake rosvika. Kuzvidya mwoyo nokushungurudzika kunomurwisa, samambo aronganisa hondo kuti achirwa. Nokuti akasimudza ruoko rwake kurwisa Mwari akaita chivindi chokusaremekedza Samasimba. Anomhanya kwazvo akateya musoro nenhoo inorema, nokuti akafuta kumeso aine hutsakutsa dzezvidya. Nokuti agere mumaguta ava matongo, mudzimba dzisingafaniri kugarwa nomunhu mudzimba dzavakuda kuva matongo. Haambopfuma, uye upfumi hwake haugari kunyange mumvuri wake chaiwo hauzova panyika. Haazokwanisa kupunyuka rima, marimi omoto achaomesa mabukira ake maruva ake achapupurutswa nemhepo. Ngaarege kuvimba nezvisina maturo achizvinyengedza. Nokuti zvisina maturo ndizvo zvichava mubayiro wake. Achauna nguva yake isati yasvika, mapazi ake asati ambopfumvudza. Achazunzika magirepisi ake asina kuibva somugirepisi, achidonhedza maruva ake somuorivhi. “Gungano ravakan'ora harina michero yarinobereka. Misha yevepfumbamuromo ichaparadzwa nomoto. Mhodzi yavanodyara mumwoyo yavo unhunzvatunzva, vanotakura uipi, unyengedzi ndiye mwana wacho wavanobereka.” Mhinduro yechipiri yaJobhu kuna Erifasi. Jobhu akazopindura achiti, “Ndakanzwa zvinhu zvizhinji zvakadaro, muri vanyaradzi vasina maturo, mose zvenyu. Ko iwo mwando pakutaura uchapera here? Chiri kukurwadzai chii kurambotaura kudaro? Ndaigonawo kutaura sezvamunoita. Dai murimi izvozvi ndingadai ndichivirikidzanisa mazwi pamuri, ndichikudzungudzirai musoro. Ndingadai ndichikusimbaradzai namazwi omuromo wangu ndichikunyaradzai zvisina mugumo. Kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakumiri. Ndikati ndinyarare kurwadziwa hakundisiye. “Chokwadi chokwadi zvino, Mwari mandisakadza, makandiparadzira mhuri yangu yose. Makaita kuti ndiperezeke muviri kuonda kwangu ndicho chapupu changu chinonongedza kwandiri mhosva yangu. Mwari akandibvambura-bvambura aine hasha, akandivenga, akandichenamira meno muvengi wangu akandidzvondorera maziso vanondishamira muromo kwazvo vachindituka, vachindipamhadza padama, vose vachindimukira. Mwari akandiisa kuvanhu vasina kururama akandikanda mumaoko avaipi. Ndakanga ndigere zvangu zvakanaka akandibvambura. Akandibata pamutsipa akandipwanya-pwanya ini ndini waanangana naye. Anondibaya mativi ose nemiseve yake anondifushunurira pasi nduru zvisina tsitsi. Anondirova andirovazve, anomhanya kwandiri sezvinoita gamba rokurwa. Ndasonera ganda rangu hembe dzamasaga. Mbiri yangu ndakairega ichiti warara zvayo pasi. Uso hwangu hwatsvuka ropa. Pamaziso angu pane mumvuri worufu. Asi maoko angu akachena uye kunamata kwangu ndekwepachokwadi. “Iwe nyika rega kufushira ropa rangu kuchema kwangu ngakurege kugara pasi. Nazvino chapupu changu chiri kudenga uye anonditsigira ari kumusoro. Shamwari dzangu dzinonditarisa dzichishora, meso angu achamokotekera Mwari misodzi. Dai waro paine angareverere munhu pana Mwari, sezvingaitwe pakati pomunhu nomumwe wake? Makore mashomanana akapfuura ini ndobva ndazoenda nenzira yandisingazodzoki.” “Mweya wangu uri kudzungaira mazuva angu avakutopera. Guva ratondimirira Vanhu vanongoramba vaneni kwazvo, ini ndinoramba ndakatarisa zvangu kubaya mwoyo kwavo. Imi Mwari chivai ndimi rubatso rwangu, nokuti ndianiwo zvake angasimudze ruoko rwake kundiitira rubatso? Nokuti makavaputira pfungwa dzokunzwisisa, saka musavarege vachikunda. Mungaite somunhu anotaurira shamwari zvomugove wake, asi vana vake vachizvitsvokorera meso. Ndatove tsumo zvayo yenyika uye ndave munhu wokusvipirwa mate kumeso. Maziso angu aita rima pamusana pokurwadziwa kwangu mwoyo, uye nhengo dzangu dzangova mumvuri zvawo. Munhu ari pachokwadi zvinomukatyamadza vakanaka vanobva vashatirwa navakan'ora. Asi mururami anoramba akangoti kwati kwati namaitiro ake ana maoko akachena anoramba achingosimbarara chete. Zvino chidzokai zvakare mundivinge, mose zvenyu asi pakati penyu, munhu anoungwaru handimbomuwana. “Mazuva angu apfuura, zvandaifunga kuita zvakapera, zvandaida kuita zvacho zvaparara. Usiku vanohuti masikati, chiedza vachichiti chakaita serima. Kana chido changu kuri kuita nzvimbo yavafi musha wangu, kana rima riri iro randinoita uriri hwandinorara, ndava kutoti kuguva ndivo baba vangu, kuhonye ndichiti ndimi amai vangu nehanzvadzi yangu, Chitarisiro, changu chiripi ipapa? Ndianiwo zvake achaona chitarisiro changu? Kusatoti taenda tose kunzvimbo yavafi tanyura muvhu tose pamwechete?” Hurukuro yechipiri yaBhiridhadhi. Bhiridhadhi Mushuhi akazopindurazve achiti, “Kusvikira riniko? Chimbonyararawo ufunge, isu timbotaurawo. Sei uchitiona semhuka uchititora sezvituta? Zvibvarure zvako kana uchida kunyange ukashatirwa zvako ukadii, nyika haisanduki ikava gwenga, mabwe haambobva panzvimbo pawo. “Mwenjewo wavaipi unodzimwa, murazvu womoto wake hauvheneke. Mwenje wemutendhe rake uchasviba nemwenje uri pamusoro pake uchadzimwa. Simba rokuita nhanho richaderera zvirongwa zvake zvichamuputsira pasi. “Nokuti tsoka dzake dzichamuti tindindi mumumbure achifamba pamusoro pehunza. Anobatwa chitsitsinho nechikachikiro, dhibhu rinomurapura. Musungo wakamuvanzirwa muvhu, hunza inenge yakavigwa panzira yake. Zvinotyisa zvichamukomba kumativi ose zvichingodzingirirana naye. “Nzara ndiyo ichamupedza simba nyatwa ichava parutivi pake. Chirwere chichamudya ganda honzeri chaiyo yorufu ichamudya makumbo. Achamwaurwa kubva mutendhe yaanovimba nayo agozvuzvurudzirwa kuna mambo wokutyisa. Mumwe angangogara zvake mutendhe yake asi musha wake watanga wasaswa nesarufa. Pasi midzi yake iri kuoma kumusoro mapazi ake achioma. Panyika zvokumuyeuka zvakapera. Hapana mugwagwa unodaidzwa nezita rake. Achadzingwa muchiedza achiendeswa murima achitandaniswa panyika. Haachazovi nomwana kana muzukuru zvake pakati pavanhu vokwake, kana mumwe anoraramawo paaigara. Vokumadokero vachadumbirwa nazvo vokumavirira zvichavazadza nokutya. Ndizvoka izvi, zvomusha unogara vanhu vakaipa, ndizvo zvenzvimbo yomunhu asingazivi.” Mhinduro yaJobhu kuna Bhiridhadhi. Jobhu akapindura achiti, “Kusvikira riniko chokwadi muchindirwadzisa kudai nokundisakadza namazwi kudai? Rwatosvika rugumi rwose muchindinyomba. Hamunyari here imi kundiitira zvakaipa? Dai kuri kuti ndakakanganisa zvechokwadi mhosva yacho ndeyanguka ini. Kana imi mavakutoita zvokuzvionesa kwandiri muchitosevenzesa kuninipiswa kwangu sechinhu chokuratidza nacho kuti ndine mhosva, mochizviziva kuti Mwari ndiye akandipiya akandimbundira namambure ake. Ini ndikapopota nezveutsinye hwakadai hapana anondinzwa. Ndinodanidzira asi ruenzaniso hapana. Akavaka panzira pangu rusvingo zvokuti handikwanisi kupfuura, akakwidibira nzira yangu nerima. Akandikurumura mbiri yangu akandikutunura mumusoro ngundu yangu. Anondityoranisa kumativi ose zvokuti ndaenda ini, chitarisiro changu akachitipura somuti. Anondivirukira nehasha achinditora semuvengi wake. Hondo dzake dziri kukokana dzinouya dzakanangana neni dzichikomba tendhe rangu. “Akanditsauranisa navakomanavanun'una vangu. Hama dzangu dzakapesaniswa neni. Hama neshamwari dzangu dzapamwoyo dzakandinyengedza vanhu vokuziva chaivo vakatondikanganwa. Vari kuroja mumba mangu vakandikanganwa vasikana vebasa wava kutondiona somusevenzi. Mupfungwa dzavo ndatova mutorwa zvangu. Ndinodaidza musevenzi wangu asi haadaviri, ini ndini ndavakutoita zvokumuteterera. Kamweya kandava nako kava kunhuwa kumudzimai wangu, ndava kusemesa kuvana vamai vangu chaivo. Kunyange vana vaduku vavakundishora, ndikati ndisimukewo vanondisveeredza. Shamwari dzangu dzose chaidzo dzavakundisema chaivo vangu vapamwoyo vavakundipandukira. “Mapfupa angu aomererana neganda; aomererana nenyama yangu. Ndichatopona napaburi retsono chaipo. Ndinzwireiwo tsitsi, ndinzwireiwo tsitsi imi shamwari dzangu. Ruoko rwaMwari rwandirova. Ko munodireiko kundironda sezviri kuita Mwari? Hamugutsikani here nokundishora zita kwamunoita? “Dai mazwi angu angonyorwawo, adhindwa zvawo mubhuku. Zvinyorwe nepenzura yesimbi nomutobvu zvitemerwe pabwe nokusingaperi. “Ndinoziva kuti mununuri wangu mupenyu pakuguma achamira pamusoro payo nyika. Mushure mokunge ganda rangu raora saizvozvi ndisisiri mumuviri wangu ndichaona Mwari. Wandinozvionera iyeni, ndichamuona pachangu namaziso angu kwete mumwe. Mukati mangu umu ndapera nokuzvisuwira. Nokuti imi munoti tingamutambudze sei mhosva tingaiwane sei maari. Munofanira kutya bakatwa rakakutarisai nokuti hasha dzinounza kuranga kwebakatwa kuti muzive kuti kutongwa kuripo.” Zofa muNaamati akapindura achiti, “Pfungwa dzangu dzinondipa kuti ndipindure pamusana peshungu dzandibata. Pfungwa dzandanzwa dzinondishatirisa, mweya unopfuura kunzwisisa kwangu ndiwo unondipa minduro. “Unoziva wani kuti kubvira pasi chigare, kubvira pakaiswa munhu panyika, rufaro rwavakaipa rupfupi. Kupembera kwavakang'ora ndekwechinguvana chete. Kunyange akati dzuu kumira kusvika kumatenga, musoro wake uchisvika kumakore, anoparara sendove yake. Vakambomuona vanenge vavakutoti, ‘Aripi?’ Anobhururuka sechiroto asingazowanika, anonyangarika sechioniso chousiku. Ziso raimbomuona harizomuonazve. Haazomboonekwazve panzvimbo pake. Vana vake ndivo vanotozoripa varombo, ivo namaoko avo vachadzorera upfumi hwake. Mapfupa ake azere simba rouduku, asi richazoti rakata kurara pamwechete naye. Kunyange uipi huchimbonaka mukanwa make, achihuviga pasi porurimi rwake, achinyatsohuchengetedza asingahurasi, achihuchengetedza mukanwa make. Asi chokudya chake chinosanduka mudumbu make chichiita sechepfu yemvumbi. Anomedza upfumi asi anozohurutsa. Mwari anomurutsisa upfumi ihwohwo. Aiyamwa chepfu yemvumbi rurimi rwechiva runomuuraya. Haachazoonazve hova dzamafuta kana tukova twouchi neruomba. Achadzorera muchero webasa rake asina kumboudya. Zvaanowana pashawo dzake hazvimbomupa mufaro. Akabata varombo zvisina kunaka akavasiya vasisina chavanacho, akapamba imba yaasina kuvaka. Kudokwairira zvinhu kwaimushaisa zororo, chaainge atorwa mwoyo nacho haaichirega chichimupunyuka. Haaisiya chinhu mundiro saka zvokubudirira kunoenda mberi hapana. Paanenge ane zvose zvaanoda kuzvidya mwoyo kunobva kwamupinda ndopaanowirwa chaizvo nenhamo. Angazadze zvake dumbu asi Mwari anomuvirukira nehasha shamhu dzigonaya paari sechokudya chake. Achatiza zvako chombo chokurwa chesimbi achibva anzi mbetete nomuseve wendarira. Unonoburitsa muromo wawo neseri uchinyiminya muromo wabva nomunduru agongweda nokutya. Rima rakati kwirindindi rakamumirira, moto usingafutidzwi uchamuroromesa zvinenge zvasara mutendhe zvichaparadzwa. Denga richaratidza pachena uipi hwake, nyika ichamupandukira. Upfumi hwemba yake huchayeredzwa hugokukurwa pazuva rehasha dzaMwari. Uyu ndiwo mugove waMwari kumunhu akaipa ndiwo mubayiro waanotemerwa naMwari.” Mhinduro yechipiri yaJobhu kuna Zofa. Jobhu akapindurawo achiti, “Nyatsoteererai zvandichataura zvive ndizvo zvinokunyaradzai mombondiitirawo mwoyo murefu nditaure. Kana ndichinge ndataura mozoseka zvenyu. Munhu ndiye wandinonyunyutira here ini, ndingarege nei kuzvidya mwoyo? Nditarirei mudumbirwe nazvo mubate muromo nazvo. Ndikazvirangarira zvinondidzongodza mwoyo muviri wangu wose unobva wadedera. “Vaipi vanoraramireiko vachitosvika pakukwegura, vachiva noukuru nesimba? Vanotoona vana vavo vachinyatsodzika midzi zvizvarwa zvazvo zvichinyatsopasa. Dzimba dzavo hapana chadzinotya, hapana shamhu yaMwari pavari. Handira dzavo hadzikoni kuberekesa, Mhou dzavo dzinobereka hadzisvodze. Vanoburitsa vana vavo sedanga rehwai vana vacho vanochirika-chirika. Vanoimba nengoma nechipendani vachifara nokurira kwenyere. Vanopedza mazuva avo vari vakabudirira vachizoenda zvavo kuvachakabvu murugare. “Vanoti kuna Mwari tibvireipo, hatidi kuziva nzira dzenyu. Iye Samasimba ndianiwo zvake, watinonzi tishandire isu? Chatinowana chii kana tikanamata kwaari? Handiti kubudirira kwavo kuri mumaoko avo here? Ini mazano avaipi anondipesa. Zvinombooneka here kazhinji kuti mwenje wavaipi unodzimwa, uye kuti njodzi yavo inombovawirawo here? Kangani Mwari kaakavagovera zvinorwadza akashatirwa? Kangani kavakapeperetswa samashanga kana sehundi inotututswa nedutu, zvichinzi Mwari akachengetera vana vavo mhosva idzodzo? Vazvionere nameso kuparadzwa kwavo, vambonwawo mukombe wehasha dzaSamasimba. Vangazoita hanya dzei nemhuri dzavo kana mwedzi yavo yadimurwa? Ndiani angadziidzise Mwari ungwaru ari iye anotonga vari pazvigaro zvapamusoro? Mumwe anogona kufa achiri kuzvinzwa akagarika zvake ari pamutambaratede, akakora, mwongo wamapfupa ake wakanaka, wakanyorevera. Mumwe anofa achingorwadziwa mwoyo asina kana kumboravirawo chinhu chakanaka. Vanorara zvimwechetezvo muvhu vose havambotani kunzi momote nehonye. Zvamunoona, ndinoziva pfungwa dzenyu nekafungiro kenyu kokurwisana neni. “Imi munototi mhuri dzavakuruvakuru dziripi, tendhe raigara vaipi riri kupi? Hamumbobvunzawosu vanofamba nzendo, hamungarambi zvavanopupura zvokuti pazuva renhamo yomuipi anonzi wakaipa anopunyuka pazuva repfumvu, uye kuti zuva rehasha ndiro rinotomununura? Ndiani anomutsiura zviito zvake akatarisana naye, kana anomuripisa zvaakaita? Kana atakurwa kuendeswa kumakuva vanoisa vanhu vokugaririra paguva. Ivhu romubani rinobva ramunakira vanhu vachiita dungwerungwe kumutevera vari mberi kwake varizararira. Sei muchida kundinyararidza nezvinhu pasina, mhinduro dzenyu hadzichina chirimo kusiya nhema dzoga-dzoga.” Erifasi muTemani akapindura achiti, “Pane munhu angave chipundutso kuna Mwari here? Kunyange mungwaru chaiye anomuwanisa chimuko here? Iye Samasimba anowana chimuko here paururami hwenyu, kana kuwana chaanowana paupenyu hwako kana husina chinoshoreka? Ari kurangira kumutya kwako here kana kukwirirana dare newe izvozvo here? Handiti huipi hwako here hwakaipisisa uhu naizvo zvitadzo zvako zvisingaperi izvi. “Pasina chikonzero wakaita kuti hama dzako dziripe chitsidzo chadzo. Uchivasiya vava musvo, vasina kupfeka. Wainyima iwe vane nyota mvura yokunwa uchinyima vane nzara chokudya. Waipa vane simba roukuru nyika ichiva misha yechizivano newe. Waiendesa chirikadzi dzisina chinhu usingatsigire nherera. Ndokusaka wakombwa nemisungo uchibva wati mwoyo papata nezvinokuvhundutsa. Uye kuti chiedza chako chapinduka kuita rima zvokuti haukwanisi kuona, wachinzi ndondo nemafashamo emvura. Handiti Mwari ari kumusoro kudenga here? Chimbotarira uone nyenyedzi dziri mudenga-denga, kukwirira kwadzakaita mudenga. Asi imi ndopaunoti Mwari anozivei, uchiti angagone here kuona murima rakati ndoo kuti akwanise kutonga?” Unoti akaputirwa namakore zvokuti haangakwanisi kuona paanofamba muzienda nakuenda redenga uchiri kungotevedza here maitiro evechinyakare akafambwa navaipi, vakabvutwa nguva yavo isati yasvika? Ugaro hwavo hwakukurwa nemvura. Vanoti kuna Mwari “Tibvirepo, iye Samasimba angatiitei?” Asi ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka ini mazano avaipi anondipesa. Varurami vanozviona vagofara vakanaka vanopfida kuvaseka, vachitoti mhandu dzedu dzakaparadzwa zvakasara zvaroromeswa nomoto. Naizvozvo wadzana naMwari uve norugare zvikunakire. Gamuchira chidzidziso chinobva mumuromo make uchengetedze mashoko ake mumwoyo wako. Ukadzokera kuna Samasimba wakazvidukupisa, uye ukabvisa uipi kure namatendhe enyu, kana ukarasa ndarama pavhu, ukarasira ndarama yokuOfiri mukati mehurungudo dzomurwizi, Samasimba achiva iye ndiye ndarama yako nesirivha yako inokosha; ipapo uchazofara una Samasimba uchizosimudza musoro wako kuna Mwari. Uchanamata kwaari, iye achakunzwa unozokwanisa kuzadzikisa mhiko dzako. Ucharonga kuita chinhu chichiitika. Nzira ichavhenekerwa nechiedza, Nokuti Mwari anodukupisa vanozvikudza achinunura vapasipasi. Anonunura vakarurama iwewo uchanunurwa kana maoko ako achena. Mhinduro yechitatu yaJobhu kuna Erifasi. Jobhu akapindura achiti, “Nanhasi uno kunyunyuta kwangu ndekwekupanduka, ruoko rwake ruri kungondiremera kunyange ndichiwuwura kudai. Dai ndaiziva kwokumuwana ndaisvika kunyange pachigaro chake. Ndaisvitsa kwaari nyaya yangu ndigozadza muromo wangu nezvokutaura. Ndipo pandichaziva zvaanondipindura ndigonzwisisa zvaanotaura kwandiri. Angaite mapitse neni here? Noukuru hwesimba rake kudaro? Kwete, anotondinzwa chete. Ipapo munhu akarurama anogona kutaura naye, mutongi wangu achitosvika pakutonditi handina mhosva zvachose. “Tarirai muone kuti ndinoenda kumabvazuva asi haako kumadokero asi handimuwane. Ndinomutsvaka kuchamhembe, asi handimuone kudoti kumaodzanyemba asi haaoneke. Anoziva wani mufambiro wangu kana akandiedza ndichabuda sendarama. Tsoka yangu yakaramba iri mugwara rake ndakaramba ndiri munzira yake ndisingatsauki. Handina kusiyana nemitemo inobva mumuromo make mazwi omumuromo make ndakaaisa mudura romumwoyo mangu. Chaanenge afunga ndichocho ndiani angamusandure? Chaanenge oda kuita anoita. Zvaakanditemera achatozviita. Hazvisi zvoga izvozvo ane zvimwe zvakawanda mupfungwa dzake zvakadaro. Ndokusaka ndichidedera nokutya pamberi pake ndikangozvifunga chete, ndinobva ndatonyanya kumutya. Mwari akaita kuti ndive mbwende, Samasimba akandityisidzira. Zvakadaro zvazvo rima harina kundipfumbira muromo akandinzvengesa kuzarima guru.” Zuva rokutonga zvarisina kuvandika kuna Samasimba sei vanomuziva vasingamboriona? Vanhu vanobvisa zvitata zvomuganhu vanobvuta matanga ezvipfuwo vachindozvifudza. Vanoteteretsa dhongi renherera vanotora dhonza rechirikadzi kuripa rubatso rwechakavimbiswa. Vanodzinga varombo munzira, varombo venyika vose vanotovanda. Varombo vanototsvaka chokudya mugwenga samadhongi omusango. Renje ndiro rinotovapa kudya kwavana vavo. Uswa hwemombe dzavo vanotonocheka musango vachitoita zvokufuhwa mumunda wavaipi vanorara usiku hwose vari musvo, vasina chavakapfeka, vasina chokufuka muchando. Vanonyorova nemvura inonaya mumakomo vachitonamatirana nedombo vachishaya pokuvanda. Vanobvuta nherera pazamu, mucheche wavarombo anobvutwa kuripa chikwereti. Vanofamba vari bunumunhu vasina chavakapfeka. Ndivo vokutakura zvisote asi nzara vainayo. Pakati pemitsara yemiorivhi yavakaipa vanoita mafuta vanosvina muguvi rewaini asi vaine nyota. Vari kufa vari kuwuwura kunze kweguta, kunonzwika kugurukuta kwavakakuvara vachitsvaka rubatsiro asi Mwari haamboteerera zvake munamato yavo. Asi kune vamwe vanopandukira chiedza vasina kujairira gwara racho vasingagari munzira dzacho. Mhondi inomuka nousiku kuti indouraya varombo navasina chavanacho, kana hwava usiku anoita sembavha. Ziso remhombwewo rinomirira ruvhunzavayeni ichiti hapana ziso rinondiona, inosandura uso. Murima vanobhovhora dzimba dzavamwe, masikati, vanozvipfigira, chiedza havachizivi nokuti zarima hapana zvariri kwavari vose, pamusana pokuti vanoushamwari nezvinotyisa zverima. Munoti vanotakurwa nechimbichimbi pamusoro pemvura, mugove wavo wakashurikidzirwa rushambwa munyika. Hakuna mushambadzi anotsaukira kuminda yavo yemigirepisi. Kushaikwa kwemvura uye kupisa kunoomesa mvura yamazaya echando ndozvinoita nzvimbo yavachakabvu kuvanhu vanenge vatadzira Mwari. Mimba inovakanganwa, honye dzinozipirwa kuvadya, vanhu vakaipa havayeukwi asi vanotyoka somuti. Vanoita hwenda nomukadzi asina mbereko pasina mwana anoberekwapo chavanobatsira chirikadzi hapana. Asi Mwari nesimba rake anokwekweretsa vana masimba, vanogona zvavo kusimukira asi havana chivimbo chaicho choupenyu. Anovanetsa nokufunga kuti vagare zvisina njodzi asi ziso rake rinenge riri panzira dzavo. Pakanguva kadukuduku vanombosimudzirwa pamusoro vobva vaenda voti pasi mokoto vachindorongedzwa zvinongoitwa vamwe vose, vanochekwa sezvinongoitwa hura dzembeswa. Kana zvisizvo ndiani angati ndinoreva nhema aburitse pachena kuti ndinotaura nhando. Bhiridhadhi. Bhiridhadhi Mushuhi akapindurawo achiti, “Mwari ano ukuru uye anotyisa ndiye anochengetedza runyararo kwake kumusoro ikoko. Hondo yake inoverengeka here, ndiani asingavhenhekerwi nechiedza chake? Munhu angave akarurama sei pamberi paMwari, munhu akaberekwa nomukadzi angave akachena sei? Inga wani kwaari kunyange mwedzi zvawo haupenyi kana nyenyedzi kwaari hadzina kuchena. Ko kutozotiwo munhu, honye zvake, munhu chidukutse zvacho.” Jobhu akapindurawo achitizve, “Ndokubatsira munhu asina simba ikoku, ndokununura here ikoku munhu anenge arukutika? Ndokurairawo here munhu asina mazano ikoku uchimuzivisa mano ohungwaru akawanda? Ndianiko akakupa kuti utaure mashoko iwaya? Uri kuzvitauriswa nemweya wani? Bhiridhadhi akapamha kutaura achiti Vari pasi, vakafa vanodedera nokutya mvura nezvinogara mumvura zvinodedera. Nzvimbo yavafi mutwi zvayo kuna Mwari, kwaari nzvimbo yavachakabvu yakashama. Mwari ndiye akatambanudza zidandanakutanda mumhene. Akapaikira nyika pasina pokupaikira. Anosungirira mvura mumakore ake makobvu asi gore haribvaruki nokurema kwayo. Anofukidza mwedzi wejenaguru achiwarira pauri gore rake. Akatara denderedzwa pamusoro pemvura pamuganhu wechiedza nerima. Mbiru dzedenga dzinodedera dzinokangaidzwa nezwi rake rokuyambira. Akanyaradza gungwa nesimba rake nohungwaru hwake akaparadza zigaranyanya Rahabhu. Nezwi rake akaita kuti denga riti ngwee, noruoko rwake akauraya zigaranyanya parainge rotiza. Izvi zvinongova kadimbu kadiki kezvaanoita, zvatinonzwa rinongova zevezeve razvo. Ndiani anganzwisise kutinhira kwesimba rake?” Jobhu akaenderera mberi nenyaya yake achiti, “Ndinopika naMwari mupenyu nokundinyima ruenzaniso rwangu iye Samasimbaose akandishungurudza mwoyo. Kana ndichiri kufema mweya kudai, mweya waMwari uchiri mumhuno dzangu, muromo wangu haumbotaura nhema, rurimi rwangu harumbotaura zvounyengedzi. Hazvimbofa zvakaitika kuti nditi imi muri pachokwadi. Kusvikira ndife zvangu, handisi kuzokanda pasi kuva pachokwadi kwangu, ururami hwangu handimbohukanda pasi. Hana yangu haindipire mhosva zvandakaita mazuva angu ose. Dai muvengi wangu akawana chinowana munhu akaipa. Iye anondipandukira awane chinowana asina kururama, nokuti chitarisiro chomunhu asiri munamati chii kana Mwari amuparadza, kana Mwari amutorera upenyu hwake? Mwari achanzwa kuchema kwake here kana nhamo yamuwira, anofadzwa here naSamasimba achadaidza kuna Mwari nguva dzose here? Ndichakudzidzisai zvesimba raMwari handidi kukuvanzirai zvinofungwa naSamasimba. Ko inga mose makazviona wani, ko kutaura zvisina maturo kwabvepi? “Uyu ndiwo mubayiro waMwari kumunhu akaipa nenhaka inowaniswa naSamasimba kune vano utsinye. Vana vavo vanogona kuwanda zvavo asi vanowandira kuuraiwa nebakatwa rehondo uye vana vavo vanenge vasina kudya kwakawanda. Vanorarama vake, denda richavaendesa kumakuva chirikadzi dzavo hadzivachemi. Kunyange zvake akaunganidza mari sevhu uye kunyange akaunganidza mbatya semunyakwe, anogona kuisona asi mururami ndiye anoipfeka, mari yake ichagovanwa navarurami. Imba yaanovaka yakaita sedandemutande sedumba rinovakwa nomutariri wenzvimbo. Anogona kundorara ari mupfumi asi hazviitiki zvakare paanoti pepu upfumi hwake panenge pasisina. Anowirwa nokutya samapopopo emvura usiku anotututswa nechamupupuri. Mhepo yokumabvazuva inomutututsa yoenda naye ichimubvisa panzvimbo yake. Inobonderera paari zvisina tsitsi iye achiita bara chairo kutiza. Inomuitira ruzha ichimufuridza panzvimbo pake.” “Inga ungwaru hunopfuura njere dzomunhu sirivha ine migodhi yayo kune nzvimbowo yokunatsa ndarama. Simbi inocherwa muvhu mhangurawo inonyungurutswa ichibva mumatombo. Munhu ndiye anotoisira rima miganhu, achichera kusvika kwakadzama chaiko, kumatombo ari kuhwenje hwerima. Munhu anogona kuchera migodhi kure nokunogara vanhu, munzvimbo dzakakanganika norutsoka rwomunhu vachiita muzeerere netambo kure navanhu muvhu munobva chokudya asi zviri pasi apa zvinopinduka kunge moto. Mumatombo munogara matombo esafaya uye mune huruva yendarama. Nzira yacho iyoyo haisati yabhururuka neshiri kunyange ziso rorukodzi harisati ramboiona. Zvikara zvinoti ndisu pano, hazvisati zvambokutsika. Shumba haisati yambokufamba. Munhu anochera dombo romusarasara achipidigura makomo kusara aisa midzi yawo pachena. Anoita mwena mumatombo ziso rake richiona chose chakakosha. Anoita madhamu kunotangira tukova kuitira kuti zvakavandika zvibude pachena. “Asi ungwaru hunowanika kupi? Kunzwisisa kunogarepi? Munhu haazivi nzira yoko uye hauwanikwi munyika yavapenyu. Hwenje hunoti hausi mandiri, gungwawo rinoti hausi neni. Haugoni kutsinhaniswa nendarama haugone kuyerwa nomutengo wesirivha. Haugoni kuenzaniswa kukosha kwahwo nendarama yeOfiri kana nokukosha neOnikisi kana neSafaya. Ndarama kana girazi hazvingaenzaniswi naho, kana kutsinhaniswa nezvishongo zvendarama yakanakisisa, tisingamboswerozvienzanisa zvedu nekarari kana nekiristari mutengo woungwaru uri pamusoro pewemapera. Matombo eTopasi ekuEtiopia haangamboenzaniswa nahwo kana kuera kukosha kwahwo nendarama yakanakisisa. “Ko zvino hungwaru hunobva kupi? Kunzwisisa, nzvimbo yako iri kupi? Yakavandika kuvapenyu vose yakahwanda kushiri dzedenga. Nzvimbo yavachakabvu norufu zvinoti takangonzwa chete runyerekupe rwahwo nenzeve. “Mwari ndiye anonzwisisa nzira yokuungwaru uye anoziva nzvimbo yahwo (Nokuti anoona kwakaperera nyika uye anoona chose chiri pasi pedenga.) Paakapa mhepo simba rayo achiyera mvura nechiyereso achipa mvura inonaya mitemo yayo, nemheni inodhiriridza nzira yayo ndopaakanyatsohuongorora akahuona akahurangarira akahuera udzame hwahwo. Ndipo paakati kuvanhu kutya Mwari ndihwo hungwaru kunzvenga chitadzo ndiko kunzwisisa.” Jobhu akasimudzirazve kutaura zvakaomarara achiti, “Dai zvahwo upenyu hwaidzokororwa huchidzokera kumwedzi iya, Mwari paaiva mutariri wangu; pandaivhenekerwa paya pamusoro, pandaifamba murima nemwenje wake sezvandakanga ndakaita panguva yandanga ndabve zano; Mwari paaichengeta musha wangu pamusana poushamwari hwake, Samasimba paakanga achineni, vana vangu vakandikomberedza, ndichiri kuita mukaka wokutoshamba zvangu nawo tsoka mumatombo muchindibudira hova dzamafuta. “Pandaienda kudare ndichindogarawo pachigaro changu munhandare vechiduku vaindiona vaipeuka, harahwa dzaisimuka dzichitomira. Makurukota aimbomira kutaura vachizarira miromo. Mazwi evokumbahuru achimbonyarara, rurimi rwavo ruchimbonamatira kumusoro. Vanhu vaiti vakandinzwa vaindikorokotedza ziso raindiona raindinwira mvura nokuti ndaisunungura varombo munhamo nenherera dzakanga dzisina anobatsira, chikomborero chavainge vava kufa chaiuya kwandiri ndichiita kuti chirikadzi dzifare zvakadzama mumwoyo. “Ndaipfeka ururami ihwo huchindifukidza. Ruenzaniso ndirwo rwaiva gemenzi rangu nengundu. Ndaive ziso kumapofu nemakumbo kuna vakaremara Ndaiva baba wavarombo. Nyaya dzavatorwa ndaidzitsvaka padziri. Ndaityora mazino anouturu avasina kururama ndichimudonhedzesa nyama yaakabata namazino. Ndaifunga kuti ndichafirawo zvangu mumba mangu ndichiti mazuva angu achawanda sejecha. Midzi yangu ichitandavara kusvikira kumvura, iro dova rakati gudegude pamashizha angu husiku hwose. Ndaiti mbiri yangu icharamba iripo chete, uta hwangu huri hutsva ndakahubata muchanza. “Vanhu vaitondimirira vachinyarara kuti vanzwe mazano angu. Kana ndainge ndataura hapana aizotaurazve. Mazwi angu aidonha samadonhwe pavari. Vaindimirira sevanomirira mvura inonaya, vakashama muromo sevanomirira mvura yobumharutsva. Ndaiti ndikavanyemwerera havaimbofunga kuti ndini, kupenyerera kwemhanza yangu kwaivapa kusarasa mwoyo. Ndini ndaitonga ndichisarudza zvinofanira kuitwa ndichiita samambo ari pakati pehondo dzake somunhu anonyaradza vafirwa.” Nhamo yaJobhu pari zvino. “Asi iye zvino vakandiita chiseko zvacho vanhu vadiki kwandiri, vana madzibaba vandaishora zvokuti handaikwanisa kuvaisa nembwa dzangu dzokuchengetedza zvipfuwo zvangu. Simba ramaoko avo rinondibatsirei, vanhu vakapera zvavo simba vakaonda nokushaiwa uye nenzara vanototetena midzi yakaoma yenyika ine nyota murima, munyika yakaoma yerenje vaitanha makwenzi anovava vachirarama nemidzi yomutsvairo. Vakadzingwa mukati mavanhu vachisveveredzwa sembavha vachigara mumakoronga amapani nomumaguru, nomumapako unotovanzwa vachikuma mumatondo vachingourungana mukati meminzwa matununu chaiwo, vanhu vasina rudzi vakadzingwa munyika. “Asi iye zvino ini ndava rumbo chairwo kwavari uye setsumo chaiyo kwavari. Vanondisema, vachimirira vakataramukana neni vasingasumbe kundisvipira mate kumeso. Nokuti Mwari akatupfunura rukungiso rwouta hwangu akandininipisa, pandiri kuzvibata vanobva vasiyana nako. Kurudyi kwangu chikwata chamadzenga chinosimuka chondidzinganisa vachindirongera nzira dzokuparadza nadzo. Vanodzivirira kwokuti nditize nako vanotowedzera njodzi yangu pamusoro peimwe, wokuvamisa hapana. Vanopinda vachiita sevanopinda napakapazika zvikuru vanouya vari mukati mehungwandangwanda. Kutya kwandibata chiremera changu chinopupurutswa sokupupurutswa nemhepo hunhu hwangu hwapfuura segore. “Upenyu hwangu hwava kukwenguka, mazuva enhamo andiwira. Usiku chirwere chinondin'ura mapfupa kurwadza kunondin'ura hakuzorore ndinobatwa hembe pahuro zveganyabvu. Hembe dzangu dzaunyanidzwa. Mwari andikanda mumatope, ndangova zvangu sehuruva nedota. Ndinochema kwamuri asi hamupinduri ndinosimuka asi munongonditarisa zvenyu. Masanduka, mave noutsinye kwandiri munondirwadzisa noruoko rwoune simba munondibvuta mondiisa mumhepo dutu richindiita suku nasai kwose kwose. Ndinoziva zvangu kuti muri kundiendesa kurufu kunzvimbo yakatemerwa vapenyu vose.” “Asi munhu anenge ari mukati memurwi wehungwandangwanda hwemba yakoromoka, haasimudzi ruoko here munhamo yake achitsvaka rubatsiro? Handina here kuchema navainge vaomerwa zuvaro, handina here kuchema navarombo? Ndaitarisira zvakanaka ndopakauya zvakaipa. Ndaimirira chiedza asi rima ndiro rakauya. Mudumbu mangu munomona musinganyarari, ndasangana namazuva enhamo. Ndinofamba ndiri mukuchema kwete mukufara chandinosimukira pana vanhu kukumbira rubatsiro. Ndave shamwari yamakava nehama yemhou. Ganda rangu rasviba ravakukwatanuka mapfupa angu anotsva nokupisa. Chipendani changu chava nziyo dzokuchema nyere yangu yava yokutsinhira vanochema.” Ini ndakatsidzira maziso angu kuti haachazotarisa musikana ndichimuchiva. Pakadaro ndingawane mugove wei kubva kuna Mwari kumusoro kana nhaka yangu, kubva kuna Samasimba kumusoro. Handiti vasina kururama vanowirwa here nenhamo navaiti vezvakaipa vachiwirwawo nejambwa? Asi iye, handiti anoona magariro angu achiverengawo nhanho dzangu dzose? Dai kuri kuti ndakashamwaridzana nenhema rutsoka rwangu ruchimhanyirirana nounyengedzi, Mwari ngaandiere muchikero chiri pachokwadi achaziva kuzvibata kwangu. Kana ndakatsauka panzira ndikatevera meso meso angu, uye kana maoko angu anechakaipa chakanamirana nawo, pakadaro regai ndidyare asi mumwe ave ndiye anochidya uye mbeswa dzangu ngadzidzipurwe zvadzo. Kana ndakatorwa mwoyo nomumwe mukadzi uye kana ndakamiramira pamusuwo womumwe wangu mudzimai wangu ngaanokuya mbeswa dzomumwe atorwe zvake nomumwe murume. Nokuti ingadai iri mhaka yakaipisisa kwazvo. Hungadai huri huipi hunofanira kurangwa navatongi. Ungadai uri moto unoparadza nokusingaperi ungadai uchitopisa zvinhu zvangu zvose kusvika pokupedzisira pazvo. Kana ndakaramba kunzwa chichemo chomuranda wangu wechirume kana wechikadzi chokundinyunyutira, ndinozoita sei kana Mwari asimuka, kana wobvunza ndichamupindurei. Ko iye akandisika munhumbu haasiriye akavasikawo here? Akatisika tose, haasiriye mumwechete here? Kana ndarambira chaidiwa nomurombo kana kudzimaidza chirikadzi, kana kudya ndoga mukonde ndichinyima nherera nokuti kubvira pahuduku hwake ndaimurera sababa kubvirawo mudumbu mamai vake ndakamutungamirira. Dai kuri kuti ndakaona munhu achiparara pamusana pokushaya hembe kana kuti murombo asina chokupfeka kana kuti muviri wake usina chaungati ngandikomborerwe nacho pamusana pokumudziisa nemvere dzehwai dzangu. Kana dai kuri kuti ndakasimudza ruoko rwangu kurwisana nenherera ndichiziva kuti ndine simba padare, pakadaro bendekete rangu ngarikwachukire pasi ruoko rwangu rwudambuke pamasanganirano arwo nokuti ndaitya nhamo yaizobva kuna Mwari uye handaimbopamira noukuru hwake. Dai ndakaisa mwoyo wangu mundarama kuti ndichiti ndarama ndiyo yondovimba nayo. Dai ndaifarisa pamusana pokuwanda kwoupfumi hwangu kana kuti ndawana zvakawanda namaoko angu. Dai kuri kuti ndakatarisa zuva nezuva ndakambotorwawo mwoyo parino penya kana nemwedzi mukufamba kwawo kunoyevedza ndikatorwa mwoyo ndikazviombera muchivande chingadai chiri chitadzo chinofanira kurangwa navatongi nokuti ndingadai ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusorosoro. Dai kuri kuti ndakafarira kuparara kwomuvengi wangu kana kufara paainge awirwa nenhamo. Handina kurasa muromo ndichiti dai awana chinomuwana. Pane womumusha mangu here akanga asingati, Ndiani asina kumboguta nenyama yake? Hapana muenzi akamborara panze mukova wangu waigara wakazurukira vaenzi. Dai kuri kuti ndakavigiridza uipi hwangu kuvanhu nokuviga uipi hwangu mumwoyo pamusana pokutya uzhinji hwavanhu kana kutya kushorwa nemhuri zvokuti ndainyarara ndisingabudi mumba. Dai ndiine angandinzwewo zvake ini ndasaina; iye Samasimbaose ngaachindipindura; mupomeri wangu ngaaite mhosva yangu yokunyora, ndingatoita yokutakura pafudzi, ndaitosungirira mumusoro sendaza, ndaimurondedzera zvose zvandakaita, ndaienda kwaari somuchinda. Kana kuri kuti nyika yangu yakachema neni zvichibatsirana nemakoronga, kana ndakadya chayo pasina muripo ndikakonzera rufu rwavaridzi vayo, dai mukamera zvamo minzwa panze pekoroni uye sora panze peBhari. Ndipo pakaperera Jobhu kutaura. Varume vatatu ava ndopavakabva varega kupindurana naJobhu nokuti Jobhu aizviona saakarurama. Asi Erihu mwana waBharakieri muBhuzi wedzinza rokwaRamu akashatirwa kwazvo akashatirirwa Jobhu nokuti akazviita mururami kupinda Mwari. Akashatirirwawo shamwari dzake nhatu nokuti vakanga vasina kuwana nzira dzokupwisa nadzo Jobhu kunyange akati Jobhu ane mhosva. Erihu haana kunge ataura kuna Jobhu nokuti vamwe vaya vakanga vari vakuru kwaari. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisina chokutaura, Erihu akaita hasha. Naizvozvo Erihu mwana waBharakieri muBhuzi akati, “Ini ndiri muduku imi makura, naizvozvo ndanga ndichinyara ndichitya kukuudzai zvandinoziva. Ndati regai vakura ndivo vataure vane makore aendedzana vape ungwaru. Asi chaizvoizvo Mweya waSamasimba uri mumunhu femo raMwari ndiro rinopa kunzwisisa. Vakura havasiri ivo chete vane ungwaru kana kuti vachembera vanonzwisisa zvine ruenzaniso. Naizvozvo ndinoti chimboteereraiwo ndimbotaurawo zvandinofunga. “Tarisai muone kuti ndanga ndakamirira kuti imi mumbotaura ndakateya nzeve kuhurukuro dzenyu dzoungwaru imi muchimbotsvaka zvokuti mutaure. Ndanga ndakakuteererai zvangu ndikaona kuti hapana apwisa Jobhu uye kuti hapana mumwe pakati penyu akwanisa kunyatsopindura Jobhu. Izvozvi mungati tazowana ungwaru zvino Mwari ngaave iye anomupindura kwete munhu. Havana kutaura mashoko avo kwandiri saka ini handichavapindura namashoko enyu. Varume ava vadumbirwa havachina chokupindura havachina chokureva. Zvino ndoramba ndakamirira here zvavasisataure kudai zvavangomira zvavo kudai vasisapindure chinhu? Ini ndichapindurawo chikamu changu iniwo ndichataura zvandinoziva nokuti ndizere namashoko mukati umu ndiri kumonwa neshungu. Mwoyo wangu waita sewaini isina pokubuda napo sezvigubhu zvewaini zvitsva zvava kuda kuputika. Ndinofanira kuti nditaure ndipedze shungu dzangu. Ndinofanira kuzarura muromo nditaure. Handisi kuzoita zvechizivano kana kuita zvokubata munhu kumeso. Zvokubata vanhu kumeso handizvizivi musiki wangu angadai akanditora.” “Zvino iwe Jobhu chinzwa zvandava kutaura uteere zvose zvandichareva. Hezvo ndava kuzarura muromo wangu rurimi rwangu rwava kutaura mukanwa mangu. Zvandinotaura zvinobva mukutendeseka kwemwoyo wangu. Miromo yangu ichataura iri pachokwadi zvandinoziva nokuti Mweya waMwari ndiwo wakandisika femo raSamasimba ndiro rakandipa upenyu. Kana muchikwanisa ndipindurei nyatsondirongerai mashoko enyu. Chizvigadzirirai pana Mwari ndakangoitawo semi kana neniwo ndaiumbwa nevhu. Saka hamuna chokunditya uye kwandiri hapana chingakuremerei. “Ndakunzwai imi muchitaura ndichinzwa, ndatonzwa ini maungira amazwi enyu muchiti ndakachena ini handina chikanganiso. Ndakachena handina mhosva yandinayo asi Mwari anondipomera mhosva anondiona semhandu yake. Anondisungirira makumbo mumatanda achindigaririra munzira dzose. Mhinduro yandinokupai ndeyokuti munaizvozvi hamuna imi kururama Mwari mukuru kune munhu wose. Munoitirei nharo naye muchiti haasikupindura zvose zvandiri kutaura. “Mwari anomboti taurei odzokororazve kaviri kaviri kunyange munhu asingazvioni. Anogona kutaura muchiroto kana muchioneso chousiku munhu akabatwa chaizvo nehope achikotsira pauriri hwake. Ndipo paanozarura vanhu nzeve obva aona kuti chaanoda kuti vadziidze vachidzidza, kuti munhu apinduke pane zvaanenge achiita uye kuti munhu arege kuzvikudza. Anodzivirira munhu kuwira mugomba uye kubaiwa nepfumo. Mumwewo anomutsiura nokumurwadzisa pabonde nemapfupa anoramba achingogweda zvokuti chokudya chinosvibisa mwoyo uye anosema machikichori. Anoonda zvokusara asisaoneki nyama mapfupa akanga asingaoneki achiti pachena charavanda. Anenge oswedera kuguva uye upenyu hwake hwoswedera kuna vanouraya. Dai kuri kuti pane mutumwa, mumiriri kudivi kwake mumwechete pakati pechiuru, kutsanangurira munhu zvakamunakira. Zvino anomunzwira urombo oti mununurei arege kuwira mugomba, ndawana chokumununura nacho. Nyama yake angaiite zvayo seyapauduku adzokere kusimba rake rouduku. Ipapo munhu achanyengetera kuna Mwari Mwari agofadzwa naye munhu anouya kwaari norufaro Mwari achimudzorera ururami hwake. Ndopaachaita zvokuimba kwazvo kuvanhu achiti, ‘Ndakatadza ini ndikaipisa zvakarurama asi handina kuzvirangirwa. Akandinunura kuti ndirege kuenda mugomba upenyu hwangu huchaona chiedza.’ “Chionaika kuti Mwari anoita izvozvi zvose kumunhu kaviri kaviri kana katatu. Kuti adzose mweya wake kugomba kuya kuti awane chiedza chavapenyu. Zvino iwe Jobhu teerera undinzwe, umbonyarara nditaurewo. Kana une chokutaura ndipindure taura nokuti chandinoda kuti iwe unzi wakarurama. Kana pasina, wochimbonditeererawo wombonyarara zvako ndimbokudzidzisa ungwaru.” Erihu akati, “Chinzwai zvandinotaura imi vangwaru munditeerere, iyemi munoziva nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita mukanwa chokudya. Ngatitarisei kuti chatinoti chakarurama chinhu chakaita sei tirairidzane kuti chakanaka chii. “Nokuti Jobhu anoti ini handina mhaka asi Mwari ari kuramba kundiitira zvino ruenzaniso. Kutongwa kwangu ndekwenhema, ronda rangu haripori kunyange pasina chandakatadza. Pano mumwe munhu here akaita saJobhu anodhadhaira zvake seari kunwa mvura asi iye achifambidzana navaiti vezvakaipa, anofamba navaipi. Nokuti vanoti hapana chavanowana nokufadza Mwari. “Saka chindinzwai imi vanonzwisisa zviri kure kwazvo naMwari kuti aite zvakaipa kana kushaika kworuenzaniso pana Mwari nokuti anopa munhu mubayiro wezvaakaita achiita kuti munhu awane zvinokodzerana namaitiro ake. Ndezvechokwadi kuti Mwari haamboita zvakaipa, Samasimbaose haambominamisa ruenzaniso. Ndiani akaisa nyika mumaoko make? Ndiani akawarira pasi pose? Dai kuri kuti ambozviti mumwoyo make, regai abvise mweya wangu nefemo rangu zvidzokere kwandiri, chinhu chose chipenyu chingaparare, munhu anobva adzokerazve kuvhu. Kana muri munhu anonzwisisa inzwai izvi, teererai zvandava kutaura. Asingadi ruenzaniso angatonge here? Mungade kupa mhosva iye Mururami Samasimbaose here? Anoti kuna madzimbo vanhu pasina, kuna machinda, ovati vanhu vakaipa. Asina zvechizivano namachinda kana kuremekedza vapfumi kupinda varombo nokuti ndiye akavasika vose namaoko ake. Vanofa nenguva isipi pakati pousiku, vanhu vanozunzwa vachipfuura, vane simba vanobviswa kwete namaoko avanhu. “Nokuti ziso rake rinoongorora zvinoita munhu; anoona mafambiro ake ose. Hakuna zarima kana rima rakati kwirindindi munogona kuhwandwa navaiti vezvakaipa. Haana kurongerana nomunhu nguva yokuti apinde dare raMwari nayo. Anoparadza vana masimba, pasina zvokumbobvunza achiisa vamwe panzvimbo pavo. Saizvozvo anoziva mabasa avo anovapidigura nousiku humwechete vachibva vaparara. Anovapa shamhu pamusana pouipi hwavo vanhu vachizviona. Nokuti vakamupa gotsi, vasina kana hanya nenzira dzake. Vakakonzera kuti kuchema kwavarombo kusvike kwaari. Akanzwa chichemo chavatamburi. “Akanyarara zvake, ndiani angamupe mhosva? Akavanza huso ndiani angamuone? Rungave rudzi kana munhu mumwechete. Kuti munhu asiri munamati atonge kuti arege kuteya vanhu. Angati here kuna Mwari ndakatadza asi handichatadzazve zvandisingaoni ndidzidzisei kana ndakaita zvakaipa handichazviitazve? Zvino mubayiro waanopa pakadai anofanira kuupa samafungiro ako here iwe usingawirirane nawo? Ndiwe unofanira kusarudza, kwete ini kuti chii chamunoziva, tiudzei. Vanhu vanonzwisisa vangatoti kwandiri nevangwaruwo vanondinzwa vangati, ‘Jobhu uyu haazivi zvaanotaura zvaanotaura hazvina kunzwisisa mukati. Dai zvavo Jobhu aongororwa kusvika pokupedzisira nokuti anopindura somunhu akaipa. Anotowedzera kupanduka pamusoro pechitadzo chake achitopamhidzira uipi pakati pake achitowanziridza mashoko ake okurwisana naMwari.’ ” Erihu akatizve, “Munofunga kuti zvakanaka here zvokuti makarurama pamberi paMwari?” Muchitoti zvenyu kwaari, “Hazvinei nemi uye zvinondibatsirei kana ndikakutadzirai Mwari kana ndikarega kukutadzirai.” Ini ndichakupindurai pamwechete neshamwari dzenyu. Tarisai kudenga muone makore ari pamusoro kupinda imi. Kana mukatadzira Mwari chamunenge momurwadzisa ipapo chii? Kana kukanganisa kwenyu kukawanda iye chamunomuita chii? Chamunomuwanisa nokururama kwenyu chii? Chaanowana kwamuri chii? Uipi hwenyu hunorwadza mumwe munhu akaita semi, ururami hwenyu hunobatsira munhu. Pamusana poudzvinyiriri kwakawanda, vanhu vanochema vanochemera rubatsiro pamusana pechisimba choruoko rwavane simba. Asi hapana anoti, “Mwari Musiki wangu aripi iye anopa kuti vanhu vaimbe usiku. Iye anodzidzisa isu vanhu kupinda mhuka dzenyika achitiita isu vakangwara kupinda shiri dzedenga. Vanhu vanochema asi haapinduri pamusana pokuzvikudza kwavanhu vakaipa. Ichokwadiwoka kuti Mwari haateereri kuchema kusina maturo iye Samasimba haambozviitira hanya. Zvinobva zvatonyanya kuipa kana imi muchitoti zvenyu hamumuoni inga nyaya iri pamberi pake wani, chenyu imi kumirira zvenyu. Asi nokuti Mwari nehasha dzake haasi kuranga achiita seasingazivi zvake kukanganisa kwacho. Jobhu ndipo paanobva amwauka zvake kutaura achiondomoka zvake kutaura twakawanda twaasingazivi.” Erihu akaenderera mberi kutaura achiti, “Chimbondiitirai zvenyu mwoyo murefu. Ndikuratidzei kuti pachine zvimwe zvokutaura ndakamiririra Mwari zvandinoziva zvinosvika nokokoko. Ndicharatidza kuti musiki wangu mururami nokuti chokwadi chaizvo zvandinoreva hazvisi nhema. Wamunaye izvozvi ndoweruzivo rwakaperera. “Chinzwai munzwe Mwari ane simba uye haana waanoshora Mwari ishasha pasimba rokunzwisisa. Havaite kuti vakaipa varambe vari vapenyu, vanotambura anovapa zvavanofanira kuva nazvo. Ziso rake haribvi pamururami asi anovagadza namadzimambo pazvigaro zvoumambo anovagadza nokusingaperi vachizorumbidzwa. Kana vari muusungwa netambo, vakasungwa netambo dzezvinorwadza. Ipapo anovazivisa zvavakaita nezvavakanganisa nokuti vanenge vachizvikudza. Anovazarura nzeve kuzvidzidziso achiti vadzoke vachibva kuuipi. Vakateerera nokumushandira, vanopedza mazuva avo mukubudirira, uye makore avo mumutambaratede. Vakarega kuteerera, vanopera nebakatwa rehondo vachifa vasina zvavanoziva. Vasiri vanamati, mumwoyo mavo vanofarira hasha, havacheme kwaari kuti avabatsire kana avasunga. Vanofa vari vadiki, ndihwo upenyu hwacho pakati pemhombwe dzepatemberi. Asi Mwari anonunura vari munhamo nenhamo iyoyo achivazarura nzeve nokutambudzika ikoko. “Kunyange imi, ari kuda kukubvisai munhamo kuti akuisei munzvimbo yakafara isina kumanikana. Tafura yenyu yakanga yakazara nokudya. Imi makazadzisa mamuri kutongwa kwavaipi kutongwa noruenzaniso zvakuwanai. Chenjerai kunyengedzwa nepfumbamuromo kana kutsautswa noupfumi. Hazvina chimuko kuti mukumbire rubatsiro. Simba renyu rose harikwanisi kukubatsirai zvino. Musasuwire kuti usiku husvike nguva inotsakatiswa marudzi avanhu kubva mumisha yavo. Chenjera kuti usapindukire kune zvakaipa ndokusaka iye zvino uchiedzwa nenhamo. Tarisai muone kuti Mwari, anokudzwa kwazvo pasimba rake. Ndiani mudzidzisi akaita saiye? Ndiani akamutaurira maitiro aangaite. Ndiani angati kwaari wakatadza? Rangarira kurumbidza mabasa ake akaimbwa navanhu. Munhu wose anoaona, munhu anoatarisa nokure. “Chinzwai munzwe, Mwari mukuru zvokuti hatimuzivi, kuwanda kwamakore ake hakuverengeki. Nokuti anoumba madonhwe emvura, ndimo mozobva mvura inonaya kusvika kumhute. Ndiyo yacho inozonaiwa namatenga ichidururika zvakanyanya pavanhu vose. Pane munhu anganzwisise here kupararira kunoita makore uye kuti munotinhira sei mukazumba kake ikako? Hauone here kumwararisa kwaanoita mheni paari? Inozadza kunyange hwaro hwegungwa. Ndizvo zvaanotonga nazvo vanhu achipa vanhu chokudya chakawanda. Anozadza mheni muchanza achiiti irove paanoda kuti irove. Kudhiriridza kwayo kunoyambira kuuya kwedutu, kunyange mombe dzinonzwa kuti iri kuuya.” Izvozvi zvinoita kuti mwoyo wangu udedere zvokutenge uchasvetuka panzvimbo pawo. Dotererai munzwe kutinhira kwezwi rake, maungira anobva mumuromo wake, Anoati tupfunu nedenga rose, nemheni yake inosvika kumativi ose enyika. Mushure mayo izwi rake rinotinhira anoriridza nezizwi rake rinoremekedzwa mheni haaidzore kana izwi rake ranzwika. Mwari anodzvova nezwi rinoshamisa. Anoita zvishamiso zvatisingakwanisi kunzwisisa nokuti anoti chando ngachidonhe panyika anotiwo kuhore kana mvura yokunaya ngainaye zvine simba. Anombomisa vanhu mabasa amaoko avo kuitira kuti munhu wose azive mabasa ake. Ipapo zvikara zvinotombopinda mumatanga azvo zvichitombogara imomo mumapako azvo. Dutu remhepo rinobva kumaodzanyemba nemhepo yechando inovhuvhuta ichibva kuchamhembe. Nezwi raMwari kunouya chando mvura yakapararira inogwamba nokukurumidza. Anozadza makore makobvu nemvura makorewo achiwadzura mheni uko nokoko. Makore anopidiguka-pidiguka achipishinuka kuenda nerimwe divi achitungamirirwa naMwari kuitira kuti aite zvose zvaanenge ati aite pasi pasi panogara vanhu. Anoita kuti zviitike kunyika yake, iri shamhu kana mwoyochena wake. Teerera unzwe iwe Jobhu. Dai ukamboti mirei urangarire mabasa aMwari anoshamisa. Unoziva here kuti Mwari anoatonga sei nokuita kuti mheni ipenye mumakore? “Unoziva here kuti makore anoyangarara sei mudenga umu, basa roruzivo ruzere rwaMwari. Iwe unodikitira muhembe dzako pamusana pemhepo yokumaodzanyemba. Ungakwanise here iwe kuita zvaanoita zvokutambanudza ziendanakuenda redenga, rakaomarara sechiringiriro choutare hwakaita zvokunyungurutswa? Chitiudza zvokumutaurira, hapana chatinokwanisa kuronga nokuda kwerima ratiri. Zvandinotaura handiti zvinosvitswa kwaari, kungatova kuzvitsvagira kuparadzwa ikoko. Pane nguva dzokuti cheidza chinenge chisingaoneki chakadzivirirwa namakore kusvikira mhepo yapfuura ichiabvisa. Kuchamhembe kunobuda ruvara runenge ndarama, chiremera chinenge chiri chaMwari chinotyisa. Samasimba, asingabatiki, ari pamusorosoro apo nesimba aine ruenzaniso, noururami hwakawanda asina waanokanganisira. Ndokusaka vanhu vachimuremekedza iyewo asingambotarisi zvake munhu anozvitora.” Zvino Tenzi akazopindura Jobhu mukati medutu remhepo achiti, “Ndianikowo zvake iyeyu anopinza zano murima nokutaura kwake kusina ruzivo, chipfeka zvino uite somurume ndikubvunze, iwe unditaurire. “Wakanga uri kupi iwe pandaidzika ugaro hwenyika? Taura zvako kana uchinzwisisa. Ndiani akaisa miganhu yayo nokuti unozivaka iwe? Kana kuti ndiani akaiera netambo? Ugaro hwayo hwakadzikwa pai, ndiani akaisa dombo rapakona, Nyenyedzi dzemambakwedza padzakaimba pamwechete vana vaMwari pavakapururudza norufaro? “Ndiani akazarira gungwa nemakonhi, parakanga richangobva mukuberekwa? Pandakaita kuti makore ave hanzu dzaro nerima rakati kwirindindi kuti riiputire ndikariisira miganhu nezvihuri nemakonhi ndikati, ‘Apa ndipo paunogumira kwete kupfuura ipapa uye kuti masaisai ako anozvitutumadza ndipo paanomirira.’ “Wati wamboti mangwanani avepo here kubvira nokubvira kwoupenyu hwako nokupa mambakwedza chinzvimbo chawo, asvike kuti abate kwakaperera nyika vakaipa vazunzwemo achiasandura kuva matsvuku sekutsvukisa kunoita chidhindo pamunyakwe ichipindurwa ruvara sehanzu? Vakaipa vanobva vambotorerwa mwenje wavo simba ramaoko avo richimbomiswa. “Wati wambopinda here muzvisipiti zvegungwa, kana kufambawo zvako muhwenje hwakadzama? Wati wambozarurirwa here misuo yorufu kana kuona makonhi okurima rakati ndoo? Unonyatsozivisisa here iwe upamhi hwenyika? Nditaurire kana uchiziva. “Nzira inoenda kumusha wechiedza ndeipi nokunogara rima ndokupi? Waigonaka kutondozviisa kunzvimbo yazvo, unozivaka iwe nzira yokumusha kwazvo. Unoziva iwe nokuti ipapo wakanga watoberekwa, nokuti nguva youpenyu hwako yakareba. “Wakambopinda here mudura ramazaya echando, kana kudura rechivhuramahwe, zvandakachengetera nguva yokunge zvinhu zvaipa, nguva yehondo nokurwa? Unoziva here nzira inopararaniswa nayo chiedza uye kuti mhepo yokumabvazuva inoparadzirwa sei panyika. Ndiani akachera migero yemvura yamapopopo, napanofamba namabhanan'ana? Achinaisa mvura panyika isina ari kugarapo, mugwenga musina munhu. Achinyorovesa renje zvaro rakaoma achiita kuti ivhu rimere uswa mvura inonaya ina baba here, ndiani akabereka madonhwe edova? Mazaya echando akabva mumimba maani? Ndiani akabereka chando chinochena chedenga? Mvura inogwamba kuita sedombo pamusoro pehwenje hwegungwa panogwamba. “Unogona here iwe kusunga tambo dzenyenyedzi dzechinyamutanhatu, kana kusunungura tambo dzenyenyedzi dzechinyamutatu? Unogona here kutungamirira boka renyenyedzi nemakwara aro? Ungatungamirire hweva navana vayo here? Unoziva here mitemo yamatenga, ungadzike here mitemo yawo panyika? Ungadaidzire here kumakor? uchiaudza kuti mvura zhinji ikufukidze. Unogona here kutumira mheni kuti dziende, idzo dzichiti tiri pano? Ndiani akaisa ungwaru mumakore kana kupa kunzwisisa kumhute? Ndiani nenjere dzake angaverenge makore kana angarereke maguchu iwayo amatenga? Nyika ichibva yanyongodeka kuva chinhu chimwechete madhaka achikurumidza kubatana. Zvishamiso zvemhuka dzesango. “Ungavhimire here mhuka, shumba, kana kugutsa nhomba yeshumba dzechidiki? Padzinoti hwatata mumapako adzo kana padzinovanda muuswa. Ndiani anopa rukodzi nyama vana varwo pavanochemera kuna Mwari vachidzungaira pamusana pokushaya chokudya?” “Unoziva here nguva inobereka ngururu? Wakamboona here mhara painobereka? Wati wamboverenga here mwedzi yadzinotora? Unoziva here nguva yadzinozobereka, padzinogodama dzavakubereka, dzichisungunuka pamutowo wadzo? Vana vadzo vanokura musango, vanozoenda uye havazodzoka kwavari. “Ndiani akapa dhongi romusango rusununguko rwarinarwo? Ndiani akasunungura makashu embizi? Ndakaripa renje kuti rive musha waro, mapani omunyu kuti ave pokugara paro. Rinotoseka zvaro bongozozo romuguta, hariteerere kuzhamba kwomuchairi. Makomo arinombeya nawo ndiwo ufuro hwaro richitsvaka chose chinomera chinyoro. “Nyati ingabvume here kukubatira basa, ingabvume here kuve muchidyiro chako? Ungaibope mumuforo nezvitorobho here kana iyo kukuharira bani ichikutevera? Ungavimbe here nesimba rayo guru, ungairege ichikuitira basa here? Ungavimbe nayo here kuti inodzoka, ichiuya nembeswa dzako kuburiro? “Mapapiro emhou anobhabhama nomufaro minhenga namanhenga ayo zvakafanana here nezveshuramurove? Inosia mazai ayo pasi kuti adziiswe pavhu, ichikanganwa kuti rutsoka rungaapwanya, mhuka dzesango dzingaatsokodzere. Inobata vana vayo zvino utsinye sokunge vasiri vana vayo kunyange zvichizoita kuti basa rayo rive risina chimuko asi haityi, nokuti Mwari akainyima ungwaru, akarega kuipa mugove wokunzwisisa. Asi ikati fukusu kutiza inotoseka zvayo bhiza nomutasvi waro. “Ndiwe unopa bhiza simba raro here? Ndiwe here unoripa mutsipa waro simba? Ndiwe here unoripa kuchirika semhashu, kufemuruka kwaro kunotyisa? Rinogiga pasi mubani, rinozvitora nesimba raro. Rinoenda kundosangana nezvombo zvokurwa. Kutya rinokuseka, uye harivhunduki. Haridzokeri shure nokutya bakatwa. Goba remiseve rinongwerengwedza kumusana kwaro. Pamwechete nepfumo rinopenya nepfumo diki. Rinozuzuma namanyawi rigopedza pasi, harimiri kana hwamanda yarira. Panorira hwamanda harizobatiki ari kure anonzwa hondo kunhuhwa, kuriridza nokuzhamba nokukaradza kwavatungamiri vehondo. “Ungwaru hwako here hunoita kuti rukodzi rubhururuke ruchitambanudzira mapapiro arwo kuenda kumaodzanyemba? Ndiwe unoudza gondo kuti ribhururuke muchadenga here kuti rinoita dendere raro pamusoro? Rinondogara padombo richiita musha waro pamawere edombo rine man'an'a. Ndoparinonyatsocherechedza nyama yaro, ziso rinoiona riri kure. Kunyange vana varo vanosveta ropa, panenge pangofa chinhu iro riripo.” Mwari akaenderera mberi kupindura Jobhu achiti, “Iye anoita gakava naSamasimba acharegera here? Iye anotsoropodza Mwari ngaapindure.” Jobhu akapindura Tenzi achiti: “Ndiri chiiwo zvangu, chii chandingapindurewo? Changu kungangova kungobata muromo wangu. Ndakataura kamwechete ikako ndikako, handichapinduri. Ndakaita ruviri, handichaitazve.” Ipapo Mwari akapindura Jobhu mudutu remhepo achiti, “Chipfeka zvino uite somurume ndikubvunze, iwe unditaurire. Wava kutoti ururami hwangu hauna maturoka iwe? Wavakutondipa mhosvaka iwe kuti uzviti wakarurama? Ruoko rwako runesimba raMwari here? Ungadzvove here sezvaanoita? Ko zvino chipfekaka chiremera chako noukuru, chipfeka mbiri nokurumbidzwa kwako. Hasha dzako ngadziputike utarise munhu wose anozvikudza umuninipise. Tarisa munhu wose anozvitutumadza umudukupise utsokodzere vakaipa pavari ipapo. Vavige vose pamwechete muvhu uvapombere uso muguva. Kana iniwo ndingatozobvuma kuti nesimba roruoko rwako rworudyi unogona kuzviponesa. “Tarisa uone mvuu yandakasika sewe inofura sora semombe. Kusimba here ikoko kwayakaita muchiuno chayo! Nairo simba renyama dzepadumbu payo. Muswe wayo unoomarara somusidhari. Marunda ezvidya zvayo akanyatsorukana. Mapfupa ayo akaita sepombi dzendarira mbabvu dzayo mibhadha zvayo yesimbi. Ndiyo yokutanga pazvisikwa zvaMwari, Musiki wayo ndiye chete anogona kuisvikira nebakatwa. Makomo anoipa zvibereko zvawo munotamba mhuka dzose dzesango. Inorara pasi pomuti womunzwa yakahwanda mujakata retsanga nomumajahwi. Muti womunzwa ndiwo unoipa mumvuri yakatenderedzwa nomusambagwena. Kana rwizi rwuzere iyo haimbovhunduki. Kunyange rwizi rweJorodhani rukaisvika pamuromo, iyo haitirimuki. Munhu angaibate nechirauro kana kuboora mhuno dzayo nechokuteesa?” “Ungagone kuzapura zigaranyanya nechirauro here, kana kuribata rurimi nomusungo here? Ungagone here kusungirira tambo mumhuno dzaro? Kana kubaya dama raro nechirauro? Ringakuteterere here? Ringaite zvokukunyengetedza here? Ringaite chitsidzirano newe here kuti rive muranda wako nokusingaperi? Ungatambe naro here sokutamba kwaungaite neshiri kana kurisungirira pambambo kuti uvaraidze vasikana naro? Vashambadzi vangaritengeserane here? Vatengesi vangarichekane here? Ungazadze here ganda raro namapfumo enzeve, kana musoro waro namapfumo okuraurisa? Ingoribata chete uone mabimbiri aunoita naro. Hauzozvipamhidzazve. Zvokuripingudza hazviiti. Iko kungoriona chete kunokuzadza nokutya. Hapana anogona kuridenha ndiani zvino angamirisane neni? Ndiani wandine chikwereti naye? Wandinofanira kudzorera. Chinhu chose chiri pasi pedenga ndechangu. Handinganyarare nezvemakumbo ake kana nesimba rake guru kana nezvechimiro chake chakarurama. Ndiani angaripfekenure ganda raro rokunze kana kubaya ganda raro rakapetwa kaviri. Ndiani angafare kuzarura makonhi ouso hwaro panotyisa kudaro nemazino akati checheteere kutenderedza? Musana waro wakaitwa nemitsara yenhowo dzakarundana sedzakanamatidzwa. Dzikabatana zvokuti hapana mweya ungapinde pakati pawo. Akabatana-batana zvokurundana zvokuti hadzikwanisi kuparadzaniswa. Kuhetsura kwaro kunobarika moto maziso aro akaita samafungiro amangwanani. Mukanwa maro munobuda marimi emoto mapfarivari emoto anorauka imomo. Mumhuno dzaro munopfumbuka utsi sounobva muhari inovira yangandutswa netsanga. Femo raro rinobakisa moto wamasimbe rimi romoto rinobuda mumuromo maro. Simba riri mumutsipa waro pariri panotyisa. Mafinyamafinyama omuviri waro akabatana-batana zvakasimba akasimba uye haazunguziki. Mwoyo waro wedombo hautyi sokuoma kwakaita guyo. Parinosimuka kunyange vakasimba vanotya parinobvundura. Bakatwa rinorisvika harina charinoriita kunyange pfumo kana museve kana pfumo zvaro renzeve. Simbi rinoiita samashanga ndarira sehuni yakaora. Miseve hariiti kuti ritize, matombo erekeni akaita sehundi kwariri. Tsvimbo kwairi yakaita seshanga. Rinotoseka zvaro kungwerengwedza kwamapfumo. Pasi paro pakaita sezvimedu zvepoto zvakapinza. Rinoti kwandekwande pamadhaka sechirhei chokupurisa. Rinoita kuti pasi pasi pavire sehari uye gungwa sepoto yamafuta. Rinosia mushure maro mutsetse wemvura wakachena; ungafunge kuti hwenje hune mvere. Panyika hapana chakafanana naro, chisikwa chisingatyi. Rinozvidza chinhu chiri chose chakakura ndimambo wazvose zvinozvitutumadza.” Jobhu akapindura Tenzi achiti, “Ndinoziva kuti munokwanisa kuita zvinhu zvose uye kuti pazvinhu zvose hapana chingakudzivisei kuita zvamunenge muchida kuita. Munobvunza kuti ndianiwo zvake iyeyu anovandisa urongwa nokutaura kwake kusina ruzivo? Ichokwadi kuti ndakataura ndisina runzwisiso, zvinhu zvakadzamisisa kwazvo kwandiri zvandanga ndisizingazivi chiteererai ndichitaura ndichakubvunzai imi munditaurire. Ndakanga ndichingokunzwai nenzeve asi zvino ndinokuonai namaziso. Naizvozvo zvose zvandakataura ndiri kutonyara nazvo uye ndinopinduka ndiri muhuruva namadota.” Kuzoti Tenzi apedza kutaura mazwi aya kuna Jobhu akati kuna Erifasi Mutemani, “Ndinokuvirukirai nehasha iwe neshamwari dzako mbiri nokuti hamuna kutaura zvakarurama nezvangu sezvakaitwa nomuranda wangu Jobhu. Chitotorai zvenyu handira nomwe nohondohwe nomwe muende nadzo kumuranda wangu Jobhu muzvipirire mupiro wokupisa. Muranda wangu Jobhu achakunamatirai nokuti munamato wake ndichaugamuchira kuti ndirege kukuitirai zvinowirirana noupenzi hwenyu nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama nezvangu somuranda wangu Jobhu.” Naizvozvo Erifasi Mutemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofa muNaamati vakaenda vakandoita zvavakaudzwa naTenzi. Tenzi akagamuchira munamato waJobhu. Tenzi akadzorera Jobhu upfumi hwake paakanamatira shamwari dzake. Tenzi akapa Jobhu zvakapetwa kaviri pane zvaakanga anazvo. Vakomanavanun'una vake nehanzvadzi dzake navamwe vose vaimuziva vakauya kwaari kuzodya naye. Vakamunzwira urombo vakamunyaradza pane zvakaipa zvose zvakanga zvaunzwa naTenzi pavari. Mumwe nomumwe wavo akavapa mari neringi rendarama. Tenzi akakomborera mazuva aJobhu omushure kutokunda okutanga. Akazova nehwai zvihuru gumi nezvina, nengamera zvihuru zvitanhatu, nezvipani zvenzombe churu, namadhongi makadzi churu. Akaita vana vakomana vanomwe navasikana vatatu. Akatumidza wokutanga zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Keziya, wechitatu akamupa zita rokuti Kerenihapuku. Pasi pakanga pasina vakadzi vakanaka uso kudarika vanasikana vaJobhu. Baba vakavapa mugove pamwechete nehanzvadzi dzavo. Mushure maizvozvi Jobhu akagara zana namakumi mana amakore. Akaona vana vake, navana vavana vake kusvika kuchizvarwa chechina. Jobhu akazofa achembera anyatsokwegura. Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa. Kana kuva munzira yavatadzi, kana kugara panogara vanonyomba, asi kuti anotofarira mutemo waTENZI uye anorangaririra mutemo waTENZI siku nesikati. Akaita somuti wakasimwa pamahombekombe erwizi unobereka muchero wawo panguva yawo uri muti usingauni mashizha. Zvose zvaanoita zvinobudirira. Asi hazvisirizvo zvakaita vakaipa, vakaita sehundi inopeperetswa nemhepo. Naizvozvo padare rokutongwa, vakaipa havapamiri uye vatadzi mugungano ravakarurama havamumiri. Nokuti TENZI ane hanya nenzira yavakarurama asi nzira yavakaipa ichaparara. Ko ivo vechirudzi, vanodirei kuti ungaunga, vachiita bope marudzi avanhu achidai kuita bangano risina maturo. Madzimambo apasi ari kunyatsoungana, uye vatongi vari kuitira TENZI nomuzodzwa wake musangano, vachiti: “Ngatidamburei zvitorobho zvavo titakanurire uko tambo dzavo.” Iye agere kumatenga anovaseka zvake TENZI anovaita chiseko chaicho. Ndipo paachazotaura kwavari zvehasha achivavhundutsira nokuviruka kwake nehasha. Achiti, “Ini ndini ndakagadza mambo wangu paZioni, gomo rangu rinoera. Ndichataura pachena chirevo chaTENZI akanditi iwe ndiwe mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka. Ndikumbire zvako ndigokupa marudzi avanhu kuti ave nhaka yako kunyange nyika, kusvika nokwainoperera kuti ive yako. Uchavatyora netsvimbo yesimbi ugovapwanya kuti mwarara somudziyo womuumbi wehari. Zvino imi madzimambo, ngwarai, inzwai kuyambirwa kwamunoitwa, imi vatongi venyika. Shandirai TENZI muchimutya, mudederei pamunomuremekedza. Angadaro akashatirwa mukaparara munzira nokuti haatane kushatirwa. Vakakomborerwa zvavo vanopotera maari.” Rwiyo rwaDhavhidhi paaitiza mwana wake Abhusaromu. Nhai TENZI, kuwanda here ikoko kwakaita mhandu dzangu! Vazhinji vavakundimukira. Vazhinji vari kunditi, “Mwari haambomubatsira.” Dzepfunde Asi kwandiri imi TENZI ndimi nhoo yangu. Ndimi mbiri yangu, uye ndimi munoita kuti ndisimudze musoro. Ndinodaidzira nezwi rangu kuna TENZI? Iye achandipindura ari mugomo rake rinoera. Dzepfunde Ndinongoti pasi rarei ndobva ndakotsira. Ndozomukazve nokuti TENZI anondichengeta. Handityi zviuru zvavanhu zvakazanirana, zvavanhu varongana vakandikomba, vanoda kundirwisa. Simukai TENZI, ndinunureiwo Mwari wangu nokuti imi, munorova mhandu dzangu dzose padama. Vakaipa munovagura meno. TENZI ndiye anonunura. Chikomborero chenyu ngachive pavanhu venyu. Dzepfunde Kumuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzewaya. Rwiyo rwaDhavhidhi. Pandinodanidzira, ndipindureiwo, imi Mwari anorwira zvandinokodzera. Pandakanga ndapinda nhamo, makandifaranutsa. Ndiitireiwo mwoyochena munzwe munamato wangu. Nhaimi vanhu, kusvikira riniko muchirerutsa chiremera changu? Kuchasvikira rini muchifarira mashoko asina maturo nokufarira kuva vanazinyepera? Dzepfunde Asi zivai kuti TENZI akazvitsaurira vakarurama. TENZI anondinzwa pandinodana kwaari. Shushikanai zvenyu asi musatadze. Rangarirai mumwoyo menyu pauvato hwenyu munyarare. Dzepfunde Pirai zvibayiro kwazvo muvimbe naTENZI. Kuna vazhinji, vanoti, dai waro zvinhu zvatinakira, mativhenekerawo nokupenya kwouso hwenyu, imi TENZI. Makaisa rufaro mumwoyo mangu kupinda vanhu kana vawana matutu matutu embeswanwa nebvachapfacha rewaini. Zvose kurara nokukotsira ndinozviwana murugare nokuti imi moga, ndimi TENZI munoita kuti ndigare ndakagarikana. Kumuimbisi anezvokuimbisa zvine hungiso. Rwiyo rwaDhavhidhi. TENZI, teererai zvandinotaura, rangarirai kuungudza kwangu. Inzwai izwi rokuchema kwangu, Mwari wangu naMambo wangu nokuti ndinonamata kwamuri. TENZI, mangwanani, munonzwa izwi rangu. Kumangwanani, ndinokugadzirirai chibayiro ndomirira. Nokuti hamusi Mwari anofarira uipi, uipi haugone kuita musha pamwechete nemi. Vanozvikudza havangagoni kumira pamberi penyu, munovenga vaiti vose vezvakaipa. Munoparadza vanotaura nhema TENZI anovenga vanhu vanoda kudeura ropa navanhu vanonyengedza. Asi pamusana pemwoyochena wenyu wakawanda; ndichapinda mumba menyu. Ndichanamata ndichikuremekedzai ndakaringira kuTemberi yenyu inoera. Nditungamirireiwo TENZI, nokururama kwenyu, nokuti ndine mhandu. Ndijekesereiwo nzira yamunoda kuti ndifambe nayo. Nokuti hapana chavanotaura chechokwadi. Zviri pamwoyo pavo chaizvo ndezvokuda kuparadza; gurokuro ravo iguva rakashama vanonyengedza norurimi rwavo. Ngavabatwe nemhosva yavo, Mwari. Zvavakarangana izvozvo zvivaputsire pasi. Pamusana pezvikanganiso zvavo zvakawanda, vadzingei nokuti vakakupandukirai. Asi vanopotera mamuri ngavafare, varambe vachiimba nomufaro. Imiwo vadzivirirei, kuitira kuti vanoda zita renyu vapembere nokufara mamuri. Nokuti imi TENZI munokomborera mururami, munomudzivirira senhoo nemweya wenyu wakanaka. Muimbisi, urwu rwiyo rwunoimbwa navane zvokuimbisa zvine tambo dzewaya zvinoimba netambo yechisere yamahon'era. Rumbo rwaDhavhidhi. TENZI musanditsiure muine hasha, kana kundiranga makashatirwa. Ndiitireiwo tsiye nyoro, TENZI nokuti ndapera simba TENZI, ndirapeiwo nokuti mapfupa angu apera basa. Mweya wanguwo wapinda nhamo; asi nhai, TENZI, kusvikira rini chaizvo? Dzokai TENZI mundiponese. Ndinunurei pamusana pemwoyochena wenyu. Nokuti kana munhu afa haakuyeukei; ndiani angakurumbidzei munzvimbo yavakafa. Ndaneta nokuchema, usiku hoga hoga, ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi yangu. Ndinonyorovesa uvato hwangu nokuchema kwangu. Maziso angu arezuka nokurwadziwa mwoyo; anoshaya simba pamusana pemhandu dzangu dzose. Ibvai kwandiri imi vaiti vezvakaipa nokuti TENZI akanzwa izwi rokuhwihwidza kwangu. TENZI akanzwa chichemo changu. TENZI akagamuchira munamto wangu. Vavengi vangu vose vachanyara vagotambudzwa zvinorwadza? Vachadzoka vagonyadziswa pakarepo. Rwiyo rwokuchema kuna Mwari. Kuungudza kwaDhavhidhi kwaakaita kuna TENZI nezvaKushi wedzinza rokwaBhenjamini. TENZI Mwari wangu, mamuri ndimo mandinopotera. Ndiponeseiwo kune vanondironda mundinunure, vangadaro vakandibvambura-bvambura seshumba vakandizvuzvurudza pasina anondinunura. TENZI Mwari wangu kana pane chandakaita, kana ndakabata chakaipa namaoko angu, kana ndakadzorera mumwe wangu nechakaipa kana kupamba mhandu yangu pasina chikonzero, muvengi ngaandironde andibate atsokodzere zvake upenyu hwangu muvhu anditi rabada muhuruva. Dzepfunde Simukai TENZI nehasha dzenyu; zvisimudzei murwise vavengi vangu vane hasha. Mukai Mwari wangu, ndimi makatema wani kuti pave neruenzaniso. Gungano ramarudzi avanhu ngarikuunganirei. Imi pamusoro pegungano iroro mugare pachigaro chenyu chapamusoro. TENZI ndiye anotonga marudzi avanhu. TENZI ratidzai kuti ndakarurama uye kuti ndiri pachokwadi. Uipi hwavakaipa ngaupere, asi vakarurama vabudirire, imi munoedza pfungwa nomwoyo yavanhu, imi Mwari akarurama. Mwari ndiye nhoo yangu anonunura vano mwoyo yakarurama. Mwari mutongi akarurama; pane mhosva anoti pane mhosva mazuva ose. Kana munhu akasapinduka, Mwari anorodza bakatwa rake anotatamura nokukunga uta hwake, anogadzirira zvombo zvake zvinouraya agoita kuti miseve yake ive moto moto. Wakaipa anofunga zvakaipa agoti shutu kuzara nomusikanzwa ozoburitsa nhema. Anochera hunza, woifonon'ona ozowira mugomba raachera iroro. Musikanzwa wake unomupfukira utsinye hwake hunomukoromokera. Ndinotenda TENZI noruenzaniso rwake. Ndicharumbidza zita raTENZI Wokumusorosoro. Ukuru ukuru hwezita raMwari nechiremera chomunhu TENZI Mwari wedu hakusi kukura ikoko kwakaita zita renyu pasi pose zvapo. Imi mune mbiri inorumbidzwa kumusoro kwamatenga nemiromo yavacheche neyepwere, makaisa chokuzvidzivirira nacho kumhandu dzenyu, kudzimura vavengi navatsividzi. Ndikati tarisei zvangu kumatenga enyu, amakaita neminwe yenyu, mwedzi nenyenyedzi zvamakaisamo? Ndinoti: “Munhu chiiwo zvake wamunorangarira, iye munhuwo zvake wamunochengeta asi imi makatoita kuti munhu asiye paduku duku kuti ave saMwari. Muchimupa chiremba chembiri norukudzo. Makaita kuti ave ndiye anotonga mabasa amaoko enyu, mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake, zvose: hwai nemombe uyewo mhuka dzomusango neshiri dzedenga nehove dzegungwa dzinofamba nomunzira dzomugungwa. TENZI Mwari wedu hakusi kukura ikoko kwakaita zita renyu.” Kutenda Mwari ruenzaniso rwake Ndinotenda TENZI nomwoyo wangu wose. Ndichaparidza mabasa enyu anoshamisa; ndichafara nokupembera mamuri. Ndicharumbidza zita renyu imi Wokumusorosoro. Kana mhandu dzangu dzopishinuka kudzoka, dzinodzadzarika dzoparara, mberi kwenyu. Nokuti makandirwira pane zvandinokodzera nezvandinochemera, makagara pachigaro chenyu chokutonga muchitonga zvakarurama. Makapa vechirudzi mhosva mukaparadza vakaipa, makadzimawo zita ravo narini narini. Vavengi vakatsvairwa; vava matongo nokusingaperi. Maguta avo angove matongo zvokurangarirwa havachamborangarirwa. TENZI anogara pachigaro chake chokutonga nokusingaperi, akadzika chigaro chake choumambo kuti atonge. Uye, anotonga pasi pose zvakarurama anotongawo marudzi avanhu pachokwadi. TENZI ndiye nzvimbo yokupotera yavanhu vanodzvinyirirwa ndiye nzvimbo yokupotera panguva yenhamo. Vanoziva zita renyu vanovimba nemi nokuti imi TENZI hamufuratiri vanokutsvakai. Pururudzirai TENZI anogara muZioni. Paridzirai vanhu zviito zvake. Nokuti, iye, anotsividza ropa radeurwa, anovayeuka. Haakanganwi kuchema kwavari munhamo. Ndinzwireiwo tsitsi TENZI. Tarisai muone zvandinotambudzwa nazvo navanondivenga. Imi munonditakanura pamuromo worufu kuti ndiparidze mbiri yenyu uye kuti pamisuo yomukunda, guta reZioni, ndifarire ruponeso rwenyu. Marudzi akawira mugomba ravakazvicherera vakabatwa gumbo mumambure avakaviga ivo pachavo. TENZI anozviratidza agotonga, vakaipa vachiteiwa nezvavanoita namaoko avo. Moimbira pasi, Dzepfunde Vakaipa vachadzokera kunzvimbo yavakafa. Marudzi ose anokanganwa Mwari. Varombo havachakanganwiki nokusingaperi; chitarisiro chavatamburi hachiparari zvachose. Simukai TENZI, musakundwe nomunhu; vechirudzi ngavatongwe pamberi penyu. Vatyisei TENZI, marudzi azive kuti vanongova vanhu. Dzepfunde. Ko munomirireiko kure nhai TENZI? Ko munozvivanzireiko panguva yenhamo? Munhu wakaipa anototi sika sika zvake kudzingirira murombo. Itai kuti vabatwe nemisungo yavakazviteera nokuti munhu akaipa anotozvirovera dundundu havi dzake. Munhu ana makaro anoshonha nokuramba TENZI. Munhu wakaipa, nokuzvikudza kwake, muna zvose zvaanofunga haana basa naTENZI, anoti, “Hakuna Mwari.” Zvose zvaanoita zvinobudirira. Matongero enyu ari kure naye; ari kokoko kumusoro kure naye; kana zviri zvavavengi vake, anovasinamisira uso. Anozviti nechomumwoyo, handimbotsukunyuki, pazvizvarwa zvose hapana chinondiwana. Kurengerera rushambwa, nounyengedzi nokutyisidzira zvinogara zviri pamuromo pake. Rurimi rwake nderwomusikanzwa nouipi. Anohwandira mumamisha achiuraya vasina mhosva muchivande; maziso ake anonyatsotarisa vanenge vawiramo; anonyangira muchivande seshumba; anonyangira kuti abate varombo; anobata murombo kana amukwevera mumambure ake. Vanenge vawira, vanopwanyiwa vachitoti mvuchata pasi pamusana pesimba rake. Anofunga kuti Mwari anokanganwa; anozarira maziso ake; haambondioni. Simukai, TENZI Mwari simudzai ruoko rwenyu regai kukanganwa vatamburi. Chii chinopa kuti wakaipa ashore Mwari, achizviti, mumwoyo make, Mwari haandiripise. Imi munoona zvenyu, hongu matambudziko nenhamo munozviona; munozvibata kuti muzotsividza noruoko rwenyu, nherera dzinozviisa mumaoko enyu imi mubatsiri wenherera. Tyorai simba roruoko rwowakaipa nomutadzi uipi hwake hutsvakei kusvikira pasisina. TENZI ndimambo nokusingaperi, vechirudzi vachaparara munyika make. TENZI imi muchanzwa chichemo chavarombo. Muchavasimbisa mwoyo muchivarerekerera nzeve yenyu kuti muitire nherera navatamburi ruenzaniso kuitira kuti munhu akabva zvake kuvhu arege kutyisa. Chivimbo chavari pachokwadi Ndinopotera kuna Mwari ko ungagoti kwandiri sei “Bhururukira kumakomo okwenyu, kunge shiri nokuti tarisai muone kuti vakaipa vatotatamura uta hwavo; vatoisa museve wavo patambo kuti vapfure vakarurama murima. Kana ugaro hwaparadzwa wakarurama angaitei?” TENZI ari muTemberi yake inoera chigaro choumambo chaTENZI chiri kudenga maziso ake anoona, meso ake anoongorora vanhu. TENZI anoedza vakarurama navakaipa asi anovenga wakaipa anoda utsinye. Anonaisa pamusoro pavakaipa mazimbe omoto nesarufa, mhepo inopisa ndiyo ichava mugove womukombe wavanopiwa nokuti TENZI akarurama, anoda kuita kwakarurama, vakarurama vachaona uso hwake. Kukumbira Mwari rubatsiro panhamo dzapanyika Tinunureiwo TENZI nokuti hapachisina mutsvene nokuti vakatendeseka vapera pakati pavanhu. Munhu wose ava kungotaurira nhema kune mumwe wake; vanhu vava kutaurirana zvisinganyatsonzwisisika; vanonakisa mukanwa zvenhando vachishandisa mazwi anoreva zvinhu zvakasiana. Dai TENZI angocheka miromo yavanonakisa mukanwa zvenhando, vanoti, “Nezvinobva pamuromo apa, tinokunda; miromo yedu tinayo; ndiani anotitonga.” TENZI anoti, “Zvino ndichasimuka pamusana pavarombo varikupambwa nokugomera kwavatamburi, ndichavapa zvavanosuwira, zvokugara pasina chinovatambudza.” Mazwi aTENZI, mazwi matsvene, akaita sesirivha yakacheneswa muvirira romoto ikagocheneswa kakapetwa kanomwe. Imi TENZI tichengetedzeiwo, tidzivirireiwo nokusingaperi kuchizvarwa ichi. Vakaipa vari kufamba kose kose uipi zvauri kurumbidzwa kudai pakati pavanhu. Kukumbira Mwari rubatsiro Mucharamba muchingondikanganwa kusvikira riniko, nhai TENZI? Muchandivanza chiso chenyu kusvikira riniko? Ko ndichatenderedzwa musoro kusvikira riniko ndichirwadziwa mwoyo zuva rose kudai? Vavengi vangu vachandikurira kusvikira riniko? Nditarisei TENZI Mwari wangu mundipindure. Ndibengenutsei ndirege kukotsira hope dzorufu. Muvengi wangu angadaro akazoti ndakamukurira, mhandu dzangu dzikazofarira kuti ndakazunzika. Asi ini ndinovimba nemwoyochena wenyu; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu. Ndichaimbira TENZI nokuti akandiitira zvakanaka. Uipi hwavanhu Benzi rinoti nechomumwoyo, “Hakuna Mwari.” Vane tsika dzakaora; vanoita zvinhu zvinosemesa; hapana anoita zvakanaka. TENZI ari kudenga anotarisa pasi kuvanhu kuti aone kana pane vanoita zvino ungwaru; vanotsvaka Mwari. Vose vakatetereka; vose vakangofanana; vane tsika dzakaora. Hapana anoita zvakanaka, kana mumwechete zvake. “Havanzwisisi here, ivo vaiti vezvakaipa vose vanodya vanhu vangu sevanodya chingwa?” Havacheme kuna TENZI. Ipapo vachabatwa nokutya kukuru nokuti Mwari ari pamwe nechizvarwa chavakarurama. Imi munopongesa mazano omurombo asi TENZI ndiye diziro rake. Dai ruponeso rweIsiraeri rwangobva kugomo reZioni. Kana TENZI ava kudzosa vaIsiraeri kuutapwa, vokwaJakobho vachapembera vokwaIsiraeri vachafara. Ndiani angave muenzi waMwari TENZI ndiani angagare mutendhe renyu? Ndiani angagare mugomo renyu rinoera? Munogarwa nomunhu ano upenyu huri pachokwadi, anoita zvakarurama uye anotaura chokwadi chake chaicho chinobva mumwoyo; munhu asingatauri makuhwa norurimi rwake; asingaitiri mumwe wake zvakaipa; asingatauri zvakaipa zvavamwe. Munhu anozvidza munhu akashata; asi anoremekedza vanoremekedza TENZI, anochengeta zvaanenge apika kuita kunyange zvichirwadza. Anokweretesa asingati akwereta ngaaise imwe mari pamusoro payo kana kutambira chioko muhomwe chokurwisa munhu asina mhosva. Munhu anoita zvakadai haatsukunyiki. Munamato wokuvimba naMwari Ndichengetei Mwari nokuti ndinopotera mamuri. Ndinoti kuna TENZI, “Imi ndimi TENZI wangu. Kunze kwenyu imi handina chimwe chakanaka.” Varurami vari munyika ndivo vokumbahuru. Ndinofadzwa kwazvo navo. Vanozvisarudzira mumwe mwari, vanozviwanzira nhamo. Handisi kuzopira kwavari miteuro yeropa. Handifi ndadaidza mazita avo nomuromo wangu. TENZI ndiye mugove wangu nenhaka yangu. Nhaka yangu iri mumaoko ake. Muganhu wangu waenda napakanaka. Hakusi kunaka ikoko kwakaita nhaka yangu. Ndinorumbidza TENZI anondipa mazano kunyange usiku, mwoyo wangu unondinyevera. Ndinoisa TENZI mberi kwangu nguva dzose; nokuti ari kurudyi rwangu, handitsuduguki. Naizvozvo mwoyo wangu unofara, mweya wangu unopembera; kana muviri wangu uchava norugare. Hamungandiregi ndichienda kunzvimbo yavakafa; kana kurega mururami wenyu achipinda muguva. Munondiratidza nzira youpenyu; pamuri ndipo pane rufaro ruzere kurudyi kwenyu kune rufaro nokusingaperi. Munamato womunhu wakarurama TENZI teererai kuchemera ruenzaniso kwangu. Rerekerai nzeve yenyu kumunamato wangu unobva kumiromo isina unyengedzi. Kutongwa kwangu dai zvako kwangobva kwamuri; maziso enyu aone zviri pachokwadi. Kana mukaedzawo zvenyu mwoyo wangu; kana kuti mukandishanyira zvenyu usiku; kana mukaedza kuona zvandiri hamumboona uipi mandiri. Handimbokanganisa nomuromo wangu. Asi pane zvinoita vanhu maererano nezvamunotaura, ndakanyenyeredza nzira dzavanoutsinye. Makumbo angu akaramba akangoti munzira dzenyu tasa tsoka dzangu hadzina kutsvedza. Ndinodanidzira kwamuri Mwari nokuti munondipindura. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri munzwe zvandinotaura. Ratidzai mwoyochena wenyu unoshamisa. Imi mununuri wavanhu vanopotera mamuri, vachitiza mhandu dzavo kurudyi rwenyu. Ndichengeteiwo semboni yeziso renyu mundivanze mumumvuri wamapapiro enyu kuvaipi vanondirwisa, vavengi vangu vanouraya vakandipoteredza. Zvokunzwa tsitsi havana; vanotaura vachizvikudza nemiromo yavo. Vanondironda vachindikomba; vakafatira kuona pavangandipunzire napo pasi. Vakaita seshumba yakagaririra kubvambura seshumba yechidiki yakavandira. Simukai TENZI muvarwise muvakurire. Ndinunureiwo nebakatwa renyu kuvakaipa noruoko rwenyu TENZI ndinunurei kuvanhu, kuvanhu vano mugove wavo pasi pano asi vazadzei dumbu nezvamakavachengetera; vana vavo vagutswewo vave nezvimwe zvavanosiirawo vacheche vavo. Asi ini nokururama kwangu ndichakuonai kana ndomuka ndofara ndichikuonai mutumbi wenyu. Rwiyo rwaDhavhidhi rwokukunda Ndinokudai TENZI, imi simba rangu. TENZI ndiye bako rangu, ndiye nhare nomununuri wangu. Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, ndiye ane simba rokundiponesa ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo. Ndinodaidzira kuna TENZI; iye anofanira kurumbidzwa, ndinobva ndatonunurwa kuna vanondivenga. Nokuti misungo yorufu yakandikomberedza, mafashamo ohumharadzi akandirwisa. Tambo dzenzvimbo yavachakabvu dzakandikochekera mariva orufu akandigaririra. Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, kuti andibatsire muTemberi yake, iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake. Nyika yakadedera ikandengendeka, nheyowo dzamakomo dzakazunguzika dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa. Akafemeruka utsi mumhuno dzake, mukanwa make aine rimi romoto rinororomesa. Mukabuda mazimbe anobvira moto. Akabvarura denga akaburuka, gore dema riri pasi petsoka dzake. Akanga akakwira pakerubhu akabhururuka, akauya nokukurumidza achibhururuka mumhepo. Akaita kuti rima rimukwidibire rakamutenderedza makuti matematema chaiwo emvura akaaita chokuhwanda nacho. Mukupenya kwaiva mberi kwake, pakabuda nomumakore chimvuramahwe namazhenje omoto. TENZI akadhiriridza mumatenga'mu, izwi raNyadenga rikariridza. Kwakaita chivhuramahwe namazimbe omoto. Akakanda miseve yake vakati dzvamu kuparara, akapenyesa mheni vakati ware kuparara. Makoronga omugungwa akaoneka, pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha nokutsiura kwenyu, TENZI nedutu rinobva mumhuno dzenyu. Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora, akandinyurura mumvura zhinji. Akandinunura kuvavengi vangu vane simba nokuna vaindivenga, nokuti vaiva nesimba kupinda ini. Vakandivinga pazuva renhamo dzangu, asi TENZI ndiye akava musimboti wangu. Akandiburitsamo akanditi murusununguko tupfunu, akandinunura nokuti anondifarira. TENZI akandipa mubayiro, maererano nokururama kwangu, akandidzorera zvinofambiranawo, nokuchena maoko kwandakaita; akandipa mubayiro nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTENZI; handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari wangu, nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose, mirawo yake handina kuibvisa kwandiri. Kwaari, handina chinoshoreka. Ndakazvichengeta ndisina mhosva. Ndokusaka TENZI andidzorerawo maererano nokururama kwangu zvichifambiranawo nokuchena kwamaoko angu mukuona kwake. Kuna akatendeka imi makatendeka, kune akarurama imi makarurama. Kuna ane mwoyo wakanaka imi makanaka, asi kune ane muitiro wakakombama, imiwo munobva mavava. Munonunura vanotambudzika, asi vanozvikudza, munovaorora. Sezvo imi TENZI murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima; nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi, ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka. Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina. Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata, ndikatozofuratira vapera kuti dhu. Ndakavapwanya-pwanya zvokuti havana kukwanisa kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. Makandipa simba rokurwa hondo mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire. Vanondivenga makaita kuti vanditize vanondivenga ndikavaparadza. Vakachemera rubatsiro asi panga pasina wokuvanunura, vakachema kuna TENZI asi haana kuvapindura. Ndakavakuya-kuya seguruva revhu ndakavarasa sedhaka munzira. Makandinunura mumhirizhonga yomumba mangu makandiita musoro wendudzi dzavanhu vanhu vandakanga ndisingamboziva vakandishandira. Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba, vaiti vakangondinzwa chete vainditeerera. Vatorwa vakarasa mwoyo, vakabuda munhare dzavo vachidedera. TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari, muponesi wangu. Mwari anonditsivira anondiisira ndudzi dzavanhu pasi pangu akandipunyutsa kuvavengi vangu. Makandisumudzira pamusoro pavavengi vangu, mukandinunura kuvanhu vehondo. Naizvozvo ndinokurumbidzai imi TENZI mukati mendudzi ndichaimba ndichirumbidza zita renyu. Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo, anoitira mwoyochena muzodzwa wake Dhavhidhi nezvizvarwa zvake narini wose. Kunaka kwakaita zvisikwa nemirao yaMwari Matenga anoparidza mbiri yaMwari, ziendanakuenda rinodura pachena mabasa aMwari. Zuva roga roga rinotaura kusvika kune rimwe, nousiku humwe hunotsvitsa kunohumwe ruzivo irworwu. Hapana kutaura kana mashoko kana izwi rawo rinonzwika. Asi izwi rawo rinosvika pasi pose, mazwi avo anosvika kwakaperera nyika, akaitira zuva musha maari rinobuda somukuwasha mumba make somurume ane simba, rinomhanya nzira yaro norufaro. Rinobuda kwakaperera denga richifamba kundosvika kumwe kwarinogumira. Hakuna chingavande kupisa kwaro. Mutemo waTENZI mutemo uzere, unomutsiridza munhu. Kupupurira kwaTENZI ndokwechokwadi, kunopa ungwaru kuna vasina njere. Zvirongwa zvaTENZI zvakarurama, zvinofadza mwoyo. Murau waTENZI mutsvene tsvene unovhenekera maziso. Kutya Mwari chinhu chakachena, chinogara nokusingaperi mitemo yaTENZI iri pachokwadi uye yakarurama kwazvo. Inofanira kudiwa kukunda ndarama, kutopinda ndarama yakanakisisa, inotapirawo kupinda uchi kupinda musvisvi wezinga rouchi. Uyewo unoyambira muranda wenyu kuichengeta kunowanisa mubayiro mukuru. Asi ndiani angaone zvikanganiso zvake; ndicheneseiwo kunezvikanganiso zvakavanda. Ndidzivirireiwo ini muranda wenyu kuzvitadzo zvokuita ndichida. Ngazvirege kunditonga. Naizvozvo ndichava munhu asina mhosva uye asina kupara mhosva huru. Dai mazwi angu nepfungwa dzemwoyo wangu zvangove zvinogamuchirika kwamuri, imi TENZI, bako rangu nomununuri wangu. Kunamatira mambo Dai TENZI akangokupindurai pazuva renhamo! Dai zita raMwari waJakobho angokudzivirirai. Ngaakutumirei rubatsiro runobva kunzvimbo inoera norutsigiro rwake runobva kuZioni. Dai angoyeuka mipiro yenyu yose uye afadzwe nezvibayiro zvenyu zvose. Dzepfunde. Dai angokupai zvinoda mwoyo wenyu aite kuti zvirongwa zvenyu zvibudirire. Ipapo tichapururudzira kukunda kwenyu norufaro. Tigosimudza mureza wedu muzita raMwari wedu TENZI akuitirei zvose zvamunokumbira. Zvino ndavakuziva kuti TENZI achabatsira muzodzwa wake, achamupindura ari kudenga rake rinoera nesimba roruoko rwake rworudyi. Vamwe vanovimba nengoro dzehondo; vamwe vanovimba namabhiza asi isu tinovimba nezita raTENZI Mwari wedu. Ivo vachaputsikira pasi vagowa asi isu tichamuka tigomira takati twi. TENZI, Itai kuti mambo akunde, tipindureiwo pazuva ratinodaidzira. Rumbo rwokukurira Mambo anofara nesimba renyu, TENZI, anofarira zvikuru kuponesa kwenyu. Makamupa zvaiva pamwoyo pake uye hamuna kumunyima zvaakakumbira nomuromo wake. Dzepfunde Makamuchingura nezvikomborero zvakanaka mukamugadza chiremba chendarama chakanakisisa mumusoro make. Akakukumbirai upenyu mukamupa, mazuva akawanda nokusingaperi. Ano mukurumbira mukuru pamusana porubatsiro rwenyu rwunoponesa. Makamupa umambo norukudzo. Nokuti makaisa zvikomborero zvenyu paari nokusingaperi uye anofara nokuvapo kwenyu nokuti mambo anovimba naTENZI uye haambosudurutswa pamusana pemwoyochena wanyakumusorosoro. Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose. Ruoko rwenyu ruchabata vanokuvengai. Muchavaita sevira romoto pamuchazviratidza TENZI achavamedza nehasha dzake, vacharoromeswa nomoto. Muchaparadza vana vavo panyika uyewo vana vavo pakati pavanhu. Kana zvavo vakafunga zvakaipa zvokukuitirai, kana vakaronga mazano akaipa havambobudirira nokuti muchavamhanyisa makanongedza uta hwenyu kuuso hwavo. Munofanira kurumbidzwa zvenyu, imi TENZI, pamusana pesimba renyu. Tichaimba tichirumbidza simba renyu. Kurwadziwa nechivimbo chomururami Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko; muri kure kure seiko pakundibatsira uye kumazwi okugomera kwangu. Mwari wangu, ndinochema masikati asi hamupinduri uye nousiku asi handiwani zororo asi imi muri mutsvene, pakurumbidzwa, ndimi makagadzwa umambo chaihwo muIsiraeri. Madzibaba edu akavimba nemi, vakavimba, imi mukavanunura. Vakachema kwamuri vakanunurwa vakavimba nemi vakasanyadziswa. Asi ini ndiri honye, handisi munhu ndinoshorwa navanhu, ndinozvidzwa navanhu. Vose vanondiona vanondisveeredza, vanondimonyera muromo vachizunguza musoro. “Akazviturira kuna TENZI, ko ngaachimuponesa, ngaachimununuraka nokuti anomuda.” Asi imi ndimi makandiburitsa munhumbu mukandichengeta zvakanaka pandaiyamwa. Ndakapirwa kwamuri kubvira pakuberekwa kwangu. Kubvira pandakaberekwa naamai vangu ndimi manga muri Mwari wangu. Musave kure neni nokuti nhamo iri padyo uye hapana wokundibatsira. Handira zhinji dzakandikomba, handira dzakasimba dzokuBhashani dzakandikomberedza. Dzinondishamira muromo kwazvo seshumba dzinouraya dziri kudzvova. Ndadururwa semvura, mapfupa angu asvodogoka, mwoyo wangu waita senamo, wanyongodeka mudundundu mangu. Simba rangu rakatooma kuti papata sezenga. Rurimi rwangu rwavakutonamira kumatadza, matonditi rapata muguruva rorufu. Imbwa dzakandikomberedza, chikwata chavakaipa chakanditenderedza; vabaya maoko angu namakumbo angu, ndavakutokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanondinan'anidza vachinyatsondiongorora. Vari kugoverana zvavo zvipfeko zvangu; hanzu dzangu varikutodziitira chin'ange. Asi imi TENZI regai kuva kure; imi simba rangu kurumidzai kuzondibatsira. Ndinunureiwo kubakatwa mununure upenyu hwangu kusimba rembwa. Ndinunureiwo kumuromo weshumba, ndipindureiwo, ndiri parumano rwenyanga dzenyati. Iniwo ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu, mukati mesangano ndichakurumbidzai. “Imi munotya TENZI murumbidzei, imi mose vana vokwaJakobho, murumbidzei. Mudederei imi vana vokwaIsiraeri nokuti haana kuzvidza kana kusema nhamo yavatamburi. Haana kuvanza uso hwake kwaari asi akamunzwa paakachema kwaari.” Zvokuti ndikurumbidzei mugungano guru, zvinotobva kwamuri, zvandakatsidza ndichazviita ndiri muvanhu vanokutyai. Varombo vachadya vakaguta vanomutsvaka vacharumbidza TENZI, dai mukangorarama nokusingaperi. Nyika dzapasi pano dzicharangarira dzigodzokera kuna TENZI mhuri dzose dzamarudzi avanhu dzigwadame pamberi penyu nokuti umambo ndohwaTENZI uye anotonga pamusoro pevechirudzi. Vose vanozvikudza vapanyika vachamugwadamira vose avo vachapinda muguva navose vasingagoni kuzviraramisa vachatozomupfugamira chete. Zvizvarwa zvichauya zvichamushumira zvizvarwa zvinotevera zvichataurirwa nezvaTENZI zvichauyawo zvigoparidza ururami hwake kuvanhu vachatozozvarwa kuti, “TENZI akazviita.” Mufudzi wakanaka TENZI ndiye mufudzi wangu hapana chandinoshaya anondirarisa mumafuro manyoro. Achinditungamirira kumvura inozorodza. Anondimutsiridza mwoyo achinditungamirira munzira dzoururami pamusana pezita rake. Kunyange ndikafamba mumupata werima rakati kwirindindi handingatyi chakaipa nokuti imi muneni. Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. Munondigadzirira tafura pamberi pangu vavengi vangu vachiona, munozora musoro wangu mafuta, mukombe wangu unotofashukira. Chokwadi kunaka kwenyu nomwoyochena wenyu zvicharamba zvineni upenyu hwangu hwose uye ndichagara mumba maTENZI nokusingaperi. Kupinda kwaMwari Mambo muTemberi Nyika ndeyaTENZI nazvose zviri mairi, pasi pose zvapo navanhu vanogarapo ndezvake nokuti akaidzika mumakungwa, akaimisa panzizi. Ndiani angakwire mugomo raTENZI? Ndiani angamire munzvimbo yake inoera? Munhu ana maoko akachena nomwoyo wakachena. Munhu asina kupika neni nhando kana kupika nhema. Achawana chikomborero chinobva kuna TENZI achanzi munhu akarurama naMwari mununuri wake. Ndizvo zvakaita chizvarwa chinomutsvaka chinotsvaka uso hwaMwari waJakobho. Dzepfunde. Imi misuo mikuru, pamusoro penyu ngapasimuke mureberere kumusoro imi misuo yechinyakare kuitira kuti mambo wembiri apinde. Ndiani Mambo wembiri? NdiTENZI ane simba nougamba. TENZI gamba romuhondo. Imi misuo mikuru pamusoro penyu ngapasimuke mureberere pamusoro imi misuo yechinyakare kuitira kuti Mambo wembiri apinde. Ndiani iyeyo mambo wembiri? TENZI wehondo nehondo ndiye Mambo wembiri. Dzepfunde. Munamato womunhu ari munhamo Ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri TENZI. Mwari wangu ndinovimba nemi, musandirege ndichinyadziswa; vavengi vangu ngavarege kunditsvinyira. Vose vanotarisira mamuri ngavarege kunyadziswa; asi vanonyengedza pasina chikonzero ngavanyadziswe. TENZI, ndiziviseiwo nzira dzenyu ndidzidziseiwo makwara enyu. Nditungamirireiwo muchokwadi chenyu mundidzidzise nokuti ndimi Mwari muponesi wangu. Ndinotarisira kwamuri zuva rose. Rangarirai, TENZI, tsitsi dzenyu uyewo mwoyochena wenyu nokuti zvaivapo kubvira pasi chigare. Musarangarire zvitadzo zvapauduku hwangu kana zvikanganiso zvangu. Maererano nemwoyochena wenyu, ndiyeukeiwo TENZI pamusana porunako rwenyu. TENZI akanaka uye akarurama saka anodzidzisa vatadzi nzira. Anotungamirira vanozvirereka muururami achidzidzisa vanozvirereka nzira yake. Nzira dzose dzaTENZI, mwoyochena nechokwadi kuna vanochengeta chitenderano chake nemitemo yake. Pamusana pezita renyu, TENZI ndiregerereiwo chitadzo changu nokuti chakakura. Ndiani anotya TENZI? Iyeyo ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusarudza. Iye acharamba achibudirira, vana vake vachava varidzi venyika. Ushamwari naTENZI ndehwevanomutya uye anovazivisa chitenderano chake. Meso angu anogara akatarisa kuna TENZI nokuti ndiye anotakanura makumbo angu mumambure. Ndicheukeiwo mundinzwire tsitsi nokuti ndiri ndoga uye ndinorwadziwa. Ndisunungureiwo kunhamo dziri mumwoyo mangu; ndinyurureiwo mukushushikana kwangu. Tarisai kutambudzika kwangu nokunetsekana kwangu mundiregererewo zvitadzo zvangu. Tarisai muone kuwanda kwakaita vavengi vangu uye muone kundipengera kwavanoita noruvengo vanondivenga. Ndichengetedzereiwo upenyu hwangu mundinunure. Musandirege ndichinyadziswa nokuti ndinopotera kwamuri. Kuva pachokwadi noururami ngazvindichengete nokuti ndinotarisira kwamuri. Mwari nunurai Isiraeri kumatambudziko ayo ose. Munamato womunhu asina mhosva TENZI ratidzai kuti handina mhosva nokuti ndakafamba muchokwadi uye ndakavimba nemi TENZI ndisingazunguziki Ndivhenekei TENZI mundiedze munyatsopenengura pfungwa dzangu nemwoyo wangu. Nokuti mwoyochena wenyu ndinogara ndichiuona uye ndinofamba ndakatendeka kwamuri. Handigare navanyengedzi kana kufambidzana navasiri pachokwadi. Ndinovenga gungano ravakaipa uye handitandare navakaipa. Ndinoshamba maoko angu ndisina mhosva. Ndigotendererawo atari yenyu TENZI ndichiimba rwiyo rwokutenda ndichiparidza zvamakaita zvinoshamisa. TENZI, ini ndinoda Imba yamunogara, nzvimbo inogara mbiri yenyu. Musanditsvaire pamwechete navatadzi kana kutsvaira upenyu hwangu pamwechete navaurai, vanhu vana maoko oujarijari, vazere muruoko rworudyi nepfumbamuromo. Asi kana ndirini ndinofamba pachokwadi. Ndinunurei mundinzwirewo ngoni. Tsoka yangu iri pakati sandara, mukati megungano guru ndicharumbidza, TENZI. Munamato womunhu anovimba naMwari zvakanyanya TENZI ndiye chiedza changu noruponeso rwangu. Ndiani wandingatye? Paupenyu hwangu, TENZI ndiye diziro rangu. Ndiani wandingatye? Kana vakaipa vondirwisa vachitaura zvakaipa nezvangu. Mhandu navavengi vangu vachadzadzarika vagowira pasi. Kunyange ndikakombwa nehondo mwoyo wangu haungatyi kunyange hondo ikandimukira kuvimba kwangu nemi kucharamba kuripo. Ndinokumbira kuna TENZI chinhu chimwechete ichocho ndicho chandinotsvaka chokuti ndigare zvangu mumba maTENZI mazuva ose oupenyu hwangu kuitira kuti ndione kunaka kwaTENZI uye kuti ndibvunzire kwaari muTemberi yake. Achandivanza mudumba rake pazuva renhamo; achandiviga pakavanda mutendhe yake, achandiisa pamusoro pedombo. Zvino ipapo ndichapasimudza musoro pamusoro pavavengi vangu vakandikomberedza. Ndichapira zvibayiro norufaro rukuru mutendhe yake. Ndichaimba, ndichiimbira TENZI rwiyo. Teereraiwo izwi rangu, TENZI pandinodanidzira ndiitireiwo ngoni mundidavire. Imi makati, “Tsvakai uso hwangu.” Mwoyo wangu unoti kwamuri, “Uso hwenyu TENZI ndihwo hwandinotsvaka.” Musavanze uso hwenyu kwandiri musandidzinge nehasha ini muranda wenyu, ndimi mangamuri mubatsiri wangu. Musandisiye, musandirase, Mwari mununuri wangu. Baba naamai vangandirase zvavo asi TENZI achandigamuchira. TENZI ndiratidzei nzira yenyu munditungamirire mugwara rakati tasa pamusana pavavengi vangu. Musandiise mumaoko avavengi vangu nokuti zvapupu zvenhema zvandimukira uye vanofemereka nehasha. Ndinovimba kuti ndichaona kunaka kwaTENZI munyika yavapenyu. Tarisira muna TENZI, simba ushinge mwoyo. Tarisira muna TENZI. Munamato wokukumbira Rubatsiro Ndinodanidzira kwamuri TENZI imi dombo rangu musandinyararire nokuti mukandinyararira ndingaite savaya vadzika kunzvimbo yavakafa. Inzwaiwo izwi rokunamata kwangu pandinochemera rubatsiro kwamuri; pandinosimudza maoko angu ndakananga kunzvimbo yenyu inoera. Musandibatanidzire pamwechete navakaipa navanhu vanoita zvakaipa vanotaura zvakanaka navamwe vavo asi mumwoyo muine zvakaipa. Vapei zvakaenzanirana namabasa avo uye zvakafanirana nezviito zvavo. Vapei zvinowirirana namabasa amaoko avo vapei mubayiro unokodzerana navo. Pamusana pokuti havana han'a namabasa aTENZI kana nebasa ramaoko ake, achavaparadza agorega kuvavakazve. TENZI ngaarumbidzwe nokuti akanzwa izwi rokuteterera kwangu. TENZI ndiye simba rangu nenhoo yangu mwoyo wangu unovimba naye; anondibatsira, saka mwoyo wangu unofara. Ndinomutenda norwiyo rwangu. TENZI ndiye simba ravanhu vake. Ndiye nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo, yokununura nayo muzodzwa wake. Nunurai vanhu venyu mukomborere nhaka yenyu. Ivai mufudzi wavo muvatakure nokusingaperi. Izwi raTENZI rine simba guru Ipai TENZI mbiri imi vokudenga ipai TENZI mbiri nesimba. Ipai TENZI mbiri yezita rake gwadamirai TENZI anechiremera chinoera. Izwi raTENZI rinonzwika pamusoro pemvura. Mwari wembiri anotinhira TENZI ari pamusoro pemvura zhinji. Izwi raTENZI rine simba, izwi raTENZI rizere nechiremera. Izwi raTENZI rinotyora miti yomusidhari izwi raTENZI rinotyora misidhari yokuRebhanoni. Anoita kuti Rebhanoni, semhuru, iite chamurambamhuru uye Sirioni iite sechigondora chikono. Izwi raTENZI rinovaima moto. Izwi raTENZI rinondengendetsa renje, izwi raTENZI rinondengendetsa renje rokuKadheshi. Izwi raTENZI rinozunza mioku rinokwazhaura masango uye mutemberi yake vose vanodaidzira kuti, “Mbiri!” TENZI anogara samambo pamusoro pamafashamo emvura. TENZI anogara samambo pachigaro chake nokusingaperi. Dai TENZI angopa simba kuvanhu vake. Dai TENZI angopa vanhu vake chikomborero chorugare. Munamato wokutenda Ndinokurumbidzai TENZI nokuti makandinyurura uye nokuti hamuna kurega vavengi vangu vachindidadira. TENZI, Mwari wangu ndakachema kwamuri kuti mundibatsire imi mukandirapa. Imi TENZI makaburitsa mweya wangu munzvimbo yavakafa, makandidzorera upenyu pakati pavakanga vaenda mugomba. Imbai muchirumbidza TENZI imi vakarurama vake. Tendai zita rake rinoera. Nokuti hasha dzake ndedzekanguvana; asi mwoyochena wake ndehweupenyu hwose. Kuchema kunombouya usiku; asi rufaro runouya namangwanani. Asi ini, pandainge ndichiri kubudirira, ndaizviti, “Hapana chinondizunguza.” Nomwoyochena wenyu TENZI, makandimisa kuita gomo chairo kusimba, makazongoti uso hwenyu vanzei, ndakabva ndabatwa nokutya Ndakachema kwamuri TENZI. Ndakanamata kwamuri TENZI. “Kudeuka kweropa rangu kunowaniseiko kana kudzika kwangu mugomba uye kupinda kwangu mugomba? Huruva ingakurumbidzei here? Ingataure nezvekutendeseka kwenyu here? Teererai TENZI mundinzwirewo ngoni TENZI ndibatsireiwo.” Makasandura kuungudza kwangu kukava kutamba. Makanditakanura saga mukandipfekedza rufaro kuitira kuti ndikuimbirei ndichirumbidza mbiri yenyu ndirege kunyarara TENZI Mwari wangu ndinokutendai nokusingaperi. Munamato womunhu anenge ava nenhamo Ndinopotera kwamuri TENZI, musaite kuti ndinyadziswe. Sezvamuri vakarurama kudai, ndinunureiwo. Rerekererai nzeve yenyu kwandiri mukurumidze kundinunura; ivai kwandiri dombo rokupotera naro, nhare yakasimba yokundinunura. Imi ndimi dombo rangu nenhare yangu pamusana pezita renyu, ndiratidzei pokufamba napo munditungamirire. Nditakanurei mumambure andateerwa zvakavanzika nokuti ndimi diziro rangu. Mumaoko enyu ndinoisa mweya wangu. Makandinunura, TENZI, Mwari wechokwadi. Munovenga vanoremekedza vamwari vasina maturo asi ini ndinovimba nemi TENZI. Ndinopururudza nokufarira mwoyochena wenyu nokuti imi makaona nhamo yangu makazivawo pfumvu yangu. Hamuna kundiisa mumaoko omuvengi makandiisa munzvimbo yandinogona kufamba pamadiro. Ndinzwireiwo tsitsi TENZI nokuti ndiri munhamo. Ziso rangu rasakara nokuchema ndizvozvowo zvine mweya wangu nomuviri wangu. Upenyu hwangu hwaperera mukusuwa namakore angu aperera mukutura befu simba rangu rapera pamusana pepfumvu yangu mapfupa angu asakara. Ndinozvidzwa navavengi vangu vose, chinhu chinoshoreka kwazvo kuva vavakidzani vangu. Vazivikanwi vangu vavakutonditya vanondiona mumugwagwa vanonditiza. Ndakatokanganikwa somunhu akafa. Ndaita somudziyo wakapwanyika. Nokuti ndiri kunzwa vazhinji vachiita kazevezeve; mativi ose zvangove zvinotyisa. Pavanorangana zvokundirwisa vachirangana zvokuda kundiuraya. Asi ini ndinovimba nemi TENZI ndinoti ndimi Mwari wangu. Upenyu hwangu huri mumaoko enyu ndinunureiwo mumaoko avavengi vangu navanonditambudza. Ndinyevenutsireiwo mwoyo ini muranda wenyu mundinunurewo nemwoyochena wenyu. Musaite kuti ndinyadziswe, TENZI nokuti ndinochema kwamuri. Vakaipa ngavave ivo vanonyadziswa ngavadzike kunzvimbo yavakafa chinyarire. Miromo inoreva nhema ngainyaradzwe, inotaura zvakaipa kuvarurami ichizvikudza nokuzvitutumadza nokuzvidza. Hakusi kuwanda ikoko kwezvakanaka zvamakaunganidzira vanokutyai, zvamunoitira vanopotera mamuri vanhu vachiona. Nokuvapo kwenyu munovahwandisa kune zvinorongwa navanhu, munovavanza mudumba renyu kunhamo dzavana vana pamuromo TENZI ngaarumbidzwe nokuti akandiratidza zvinoshamisa mwoyochena wake pandaive ndakakombwa, seguta riri kurwiswa. Pandaive ndadumbirwa ndakati ndadzingirwa kure nemi asi imi makanzwa munamato wangu pandakachemera rubatsiro kwamuri. Idai TENZI imi vatsvene vake. TENZI anochengeta vakatendeka vake; asi anoranga zvakanyanya munhu wose anozvikudza. Simbai mutsunge mwoyo imi mose munotarisira muna TENZI. Reurura zvitadzo zvako Akakomborerwa zvake munhu akaregererwa kukanganisa kwake ane chitadzo chakafushirwa. Akakomborerwa munhu asingapiwe mhosva naTENZI, munhu asina mweya wounyengedzi. Pandakanga ndisina kureurura chitadzo changu, ndakaperezeka muviri pamusana pokuwuwura kwangu zuva rose nokuti siku nesikati shamhu yoruoko rwenyu yakanga yakandiremera. Simba rangu rakapera kupwa sapachirimo. Dzepfunde Ndakareurura chitadzo changu kwamuri. Handina kuvanza uipi hwangu. Ndakati regai ndireurure zvikanganiso zvangu kuna TENZI. Imi makaregerera mhosva yechitadzo changu. Dzepfunde Naizvozvo munamati wose ngaanamate kwamuri panguva yenhamo, mapopopo emvura haambomusviki. Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda. Ndimi munondidzivirira nhamo. Ndimi munoita kuti kwandiri kununurwa kuve rumbo. Dzepfunde Ndichakurairidza ndigokudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa mazano, ziso rangu riri pauri. Usaite sebhiza kana nyurusi risinganzwe rinotoda kudzorwa namatomhu netambo, ukasadaro harirambe riinewe. Nhamo dzavakaipa dzakawanda vanovimba naTENZI, mwoyochena wake unovakomberedza. Farai muna TENZI, pemberai imi makarurama, pururudzai imi mose muna mwoyo wakarurama. Farai muna TENZI imi makarurama vari pachokwadi ndivo vanokodzera kumurumbidza. Rumbidzai TENZI nechipendani, muimbirei nedimbwa rine waya gumi, muimbirei rumbo rutsva, mumuridzirei zvakanaka, muchipururudza, nokuti shoko raTENZI rakatendeka uye basa rake rose rinoitwa muchokwadi. Anoda ururami noruenzaniso nyika izere nemwoyochena waTENZI. Matenga akaitwa nezwi raTENZI uyewo hondo nehondo yezvirimo zvakaitwa nefemo romuromo wake. Akaunganidza makungwa pamwechete akaaita semurwi, mvura yakadzika akaiisa mumatura. Nyika yose ngaitye TENZI, vagari vose vapasi pano ngavamudedere nokuti akataura zvikaitika akati ngazvimire zvikamira. TENZI anoshaisa basa mazano amarudzi anoshaisa maturo zvirongwa zvavanhu. Zano raTENZI rinoramba riripo nokusingaperi zvaanofunga mumwoyo make zvinosvika kuzvizvarwa zvose. Rwakakomborerwa rudzi rwakaita TENZI Mwari warwo; vanhu vaakasarudza kuva nhaka yake. TENZI anotarisa pasi ari mudenga anoona vanhu vose. Kubva pachigaro chake chokutonga anotarisa vagari vose vapanyika. Iye anopa munhu nomunhu mwoyo waanawo, anoziva zvose zvavanoita. Mambo haanunurwe nokukura kwakaita hondo yake. Gamba rokurwa hariponeswe nesimba raro guru. Bhiza chinhu chisina maturo pakuponesa, Kunyange zvaro riine simba guru, harikwanisi kuponesa. Tarisai muone kuti ziso raTENZI riri pana vanomutya riri kune vane chitarisiro kumwoyochena wake kuti avanunure kurufu uye kuti avararamise panguva yenzara. Tinotarisira muna TENZI ndiye rubatsiro rwedu nenhoo yedu. Mwoyo yedu inofara naye nokuti tinovimba nezita rake rinoera. Mwoyochena wenyu ngauve patiri TENZI sokutarisira kwatinoita kwamuri. Kunaka kwakaita Mwari, ruenzaniso rwake Ndicharumbidza TENZI nguva dzose kumurumbidza hakuchabvi pamuromo pangu. Ini ndinodada naTENZI. Dai varombo vakazvinzwawo vafare. Ngatikudzei TENZI pamwechete neni, ngatirumbidzei zita rake pamwechete. Ndakatsvaka TENZI akandipindura; akandinunura kunazvose zvaindityisa. Tarisai kwaari mupenye, naizvozvo uso hwenyu hauzombonyari. Murombo uya akachema TENZI akamunzwa akamununura kumatambudziko ake ose. Mutumwa waTENZI anokomberedza vanomutya achivanunura. Ravirai munzwe kunaka kwaTENZI, akakomborerwa munhu anopotera kwaari. Ityai TENZI imi vatsvene vake; vanomutya hapana chavanoshaya. Zvigondora zveshumba zvinoshaya chokubata, zvinonzwa nzara; asi vanotsvaka TENZI hapana chavanoshaya. Uyai vana mundinzwe; ndichakudzidzisai kutya TENZI. Ndiani anoda zvake upenyu anoda upenyu hurefu nokuwana upenyu hwakanaka? Zvidzore rurumi rwako kuuipi, miromo yako irege kutaura nhema. Siyana nouipi uite zvakanaka, tsvaka rugare urutevere. Maziso aTENZI ari pavarurami, nzeve dzake dzakarerekera kuchichemo chavo. Uso hwaTENZI hwakanangana navakaipa kuti vakanganwike panyika. Kana vakarurama vakachemera rubatsiro TENZI anovanzwa achivanunura munhamo dzavo dzose. TENZI ari pedyo navakasuruvara anoponesa vanenge varasa mwoyo. Nhamo dzawakarurama dzakawanda asi TENZI anomuponesa madziri dzose. Anochengetedza mapfupa ake ose hapana kana rimwe rawo rinotyorwa. Uipi huchauraya vakaipa vanovenga varurami vachapihwa mhosva. TENZI anonunura upenyu hwavaranda vake. Hapana anopotera kwaari anopiwa mhosva. Kuipa kwakaita munhu mutadzi TENZI, navoi vanoita hondo neni, rwisai vanondirwisa. Torai nhoo ndiki nehuru musimuke kuzondibatsira. Zvuvai pfumo renyu negano renyu murwise vanondironda. Itii kwandiri, “Ndini ruponeso rwako.” Ngavanyadziswe vafumurwe vanoda kundiuraya. Ngavadzorwe vadzungaidzwe vanoronga kundiitira zvakaipa. Ngavaite sehundi inopupurutswa nemhepo vachidzinganiswa nomutumwa waTENZI. Nzira yavo ngaiite rima itsvedze vachirondwa nomutumwa waTENZI. Nokuti vakandivanzira mambure avo pasina chikonzero vakandicherera gomba pasina chikonzero. Dai waro kuparadzwa kwangovawira vasingazivi. Dai waro vangobatwa namambure avakateya; ngavawiremo vaparare. Ipapo ndichapembera kufara muna TENZI ndichifarira zvikuru kununura kwake. Mapfupa angu achati, “TENZI ndiani akaita semi? Imi munonunura asina simba kune ane simba kupinda iye uye murombo naasina chaanacho kumupambi.” Zvapupu zvina utsinye zvinomuka vanondibvunza mhosva dzandisingazivi. Vanondidzorera nezvakaipa pane zvakanaka zvandakavaitira. Mwoyo wangu unoshungurudzika. Asi pavairwara, ini ndakapfeka saga, ndakazvirwadzisa nokuzvinyima. Ndairamba ndichingonamata muhana mangu sokunge ndiri kuchema shamwari kana hama. Ndaimhemhaira sokunge ndinochema amai vangu ndakatsikitsira musoro pasi ndichiungudza. Asi pandakagumhinha vakaunganidzana vachifara; vakaungana kuzondirwisa mhetamakumbo dzandakanga ndisingazivi dzakaramba dzichingotaura zvakaipa nezvangu. Vakandisveeredza sechirema vachindizhinyurira mazino. Kusvikira riniko nhai TENZI makangotarisa zvenyu kudai? Ndinunureiwo mukundirwisa kwavo mundinunurewo upenyu kushumba. Ndichakutendai musangano guru; ndichakurumbidzai mugungano guru. Ngavarege kufara pamusoro pangu vanondivenga pasina mhosva, varege kuchonyana maziso vaya vanondivenga pasina chikonzero. Havataure zvinorugare; vakazvinyararira zvavo munyika vanovarongera zvinhu zvounyengedzi. Vanondishamisira muromo kwazvo vachiti, “Toko waro, Toko waro. Tazvionera nameso.” Imi mazviona TENZI, musanyarare TENZI musave kure neni. Zvigwinhei mumuke mundimiririre; mundirwire, imi Mwari wangu naTENZI wangu. Ndipembedzei TENZI Mwari wangu; maererano noururami hwenyu varege kundidadira. Ngavarege kuzviti, “Hauchionaka, zvataida tazviona.” Ngaverege kuti, “Takamumedza.” Ngavanyadziswe vanyatsodumbirwa vanofarira nhamo dzangu. Ngavaputirwe nenyadzi nokuzvidzwa vanozviti ivo ndivo, ini vachindiisa pasi. Regai vanoda kuti ndipembedzwe vadaidzire norufaro varambe vachiti, “TENZI mukuru anofarira kubudirira kwomuranda wake.” Ipapo rurimi rwangu ruchakurukura zvokururama kwenyu uye nezvembiri yenyu zuva rose. Uipi homunhu noururami hwaMwari Chitadzo chinotaura revo kune wakaipa mukatikati memwoyo wake chichiti kwaari zvokutya Mwari hapana. Anozvibata kumeso mukufunga kwake achiti: uipi hwake haugone kuzivikanwa nokuvengwa. Mazwi anobva pamuromo pake akaipa uye ndookunyengedza. Haachaiti zvina ungwaru kana zvakanaka. Anoronga zvinhu zvakaipa ari paanorara wotobva wozvirongera gwara risina kunaka; haavengi uipi. Mwoyochena wenyu, TENZI, unosvika kumatenga; uye kutendeka kwenyu kunosvika kumakore. Ururami hwenyu hwakaita samakomo aMwari; kutonga kwenyu kwaita sehwenje hwakadzika munonunura munhu nemhuka, TENZI. Hakusi kukosha ikoko kwakaita mwoyochena wenyu Mwari! Vanhu vanopotera mumumvuri wamapapiro enyu. Vanodyiririra zvakawanda zvomumba menyu. Munovanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu. Imi ndimi mune chisipiti choupenyu muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza. Rambai muchiita mwoyochena wenyu kuna vanokuzivai uye muponese vano mwoyo yakarurama. Rutsoka rwavanozvikudza ngarurege kunditsika kana kutinhwa noruoko rwowakaipa. Ipapo vakaipa vachati rakata kurara, vachati umburu pasi, vasisagoni kusimuka. Rwiyo rwaDhavhidhi. Usazvinetse nezvevanhu vakaipa, usaitire shanje vanoita zvakaipa nokuti vachakurumidza kuuna souswa vachabhuruvara samakwenzi manyoro. Vimba naTENZI uite zvakanaka, naizvozvo uchagara panyika ugarike. Fara naTENZI iye achakupa zviri pamwoyo pako. Isa upenyu hwako muna TENZI vimba naye, iye achaona zvokuita. Achaita kuti ururami hwako hubude pachena sechiedza uye mamiriro oupenyu hwako sezuva ramasikati. Iti zii-i pana TENZI umumirire chinyararire. Usazvinetse zvako nezvomunhu anobudirira mune zvaanoita, munhu anoita zvinhu zvakaipa. Regera kuita hasha, usaite godo rega kuzvidya mwoyo zvinokupinza munezvakaipa, nokuti vakaipa vachaparadzwa asi vanotarisira naTENZI vachava ndivo varidzi venyika. Kunongoita kanguva kaduku chete, vakaipa panenge pasisina. Kana ukazonyatsotarisa panzvimbo yake anenge asisipo. Asi vanozvirereka vachava ndivo varidzi venyika vachazofara nokubudirira kukuru. Munhu akaipa anorongera mururami zano rakaipa achimuzhinyurira mazino. Asi TENZI anoseka wakaipa nokuti anozviona kuti zuva rake richasvika. Vakaipa vanozvomora mapakatwa avo nokutatamura uta hwavo kuti vauraye varombo navasina chavanacho. Kuti vauraye vanofamba zvakarurama. Bakatwa ravo richavabaya ivo mwoyo uye uta hwavo huchatyorwa. Vakarurama zvavanazvo zvishoma zvirinani pane zvakawanda zvavakaipa vazhinji. Maoko avakaipa achatyorwa asi TENZI anotsigira vakarurama. TENZI ane hanya noupenyu hwavakarurama. Nhaka yavo ichavapo nokusingaperi. Pamazuva akaipa havambonyadziswa pamazuva enzara ivo vanenge vane maguta. Asi vakaipa vachaparara mhandu dzaTENZI dzakafanana nokunaka kwamafuro anonyangarika soutsi. Muipi anokwereta asi haadzore asi mururami ane mwoyo wokupa uye anopa nokuti vanokomborerwa naTENZI nyika ichava yavo asi vaanopa rushambwa vanobva vaparara. Munhu kana achifamba anotungamirirwa naTENZI; anosimbisa munhu ano mugariro unomufadza Kunyange akawa, haabva ati mbombombo nokuti TENZI ndiye anomubata ruoko. Ndakanga ndiri muduku asi zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa kana vana vake vachikumbira chingwa. Anogara achipa zvakawanda uye achikweretesa vana vake vachiva chikomborero. Siana nouipi uite zvakanaka nokudaro uchagara nokusingaperi nokuti TENZI anoda ruenzaniso; haarasi varurami vake. Achavachengetedza nokusingaperi asi vana vavakaipa vachaparadzwa. Vakarurama ndivo vachava varidzi venyika uye vachagaramo nokusingaperi. Muromo womururami unotaura zvine ungwaru rurimi rwake runotaura noruenzaniso. Mutemo waMwari wake uri maari haadzadzariki pakufamba. Wakaipa anovandira wakarurama achitsvaka kumuuraya. TENZI haamurege achiwira mumaoko ake kana kumurega achipiwa mhosva paanotongwa. Mirira TENZI uchengete nzira yake. Iye achakukudza kuti nyika ive yako; unotozoona kuparadzwa kwavakaipa. Ndakamboona munhu wakaipa ano mukundo akati dzuu kwazvo somusidhari weRebhanoni. Ndakazopfuurazve napo asi akanga asisipo. Ndakamutsvaka asi akanga asisipo. Tarira uone munhu akarurama uone munhu ari pachokwadi, nokuti munhu worugare aneramangwana. Vatadzi vanofanira kuparadzwa zvachose upenyu hwavo hwamangwana huchaparadzwa. Ruponeso rwavakarurama runobva kuna TENZI ndiye diziro ravo panguva yenhamo. TENZI anovabatsira uye anovanunura. Anovanunura kuvakaipa achivaponesa nokuti vanovanda maari. Munamato womunhu warwara TENZI regai kunditsiura muine hasha, musandirove makashatirwa nokuti miseve yenyu yanyatsondibaya kwazvo. Shamhu yoruoko rwenyu yakandirova. Hapana pachiri papenyu mumuviri wangu pamusana pokushatirwa kwenyu. Mumapfupa angu hamuna utano pamusana pechitadzo changu nokuti uipi hwanditi momote musoro, hunondiremera somutoro wandisingagoni kutakura. Maronda angu ava kuora uye avakunhuhwa pamusana poupenzi hwangu. Ndanyatsoti kokova, ndakombama ndinofamba ndichiungudza zuva rose. Muchiuno mangu muri kundipisa, hapana papenyu mumuviri wangu. Ndachiti rukutu ndapera basa ini. Ndinowuwura nokuda kwokushushika kwangu mumwoyo. TENZI zvandinosuwira munozviziva kugomera kwangu kuri pachena kwamuri. Hana yangu inorova, uye ndapera simba, maziso anguwo avakuonera madzerere. Hama neshamwari dzavakumirira kure neni nokuda kwechirwere changu. Vapadyo vava kutaramukana neni. Vanoda kundiuraya vanonditeya vanoda kundikuvadza vanotaurirana zvokundiparadza vanoswerondirangana zuva rose. Asi ini ndinoita zvangu samatsi asinganzwi sechimumumu chisingatauri. Chokwadi ndinoita samatsi anomukanwa musina gakava. Asi ini ndinotarisira kwamuri TENZI asi imi TENZI Mwari wangu ndimi muchapindura nokuti ndinoti, “Ngavarege kunditsvinyira vanondidadira kana ndatsvedza.” Ndavakuda kuputsika uye ndiri kuramba ndichirwadziwa. Ndinoreurura zvitadzo zvangu ndine urombo nechivi changu. Vavengi vangu vapenyupenyu vakawanda uye vanondivenga, pasina mhosva, vazhinji. Vanondiitira zvakaipa, ini ndichivaitira zvakanaka, vanondivenga nokuti ndinoita zvakanaka. Musandirasewo TENZI, Mwari wangu musave kure neni. Kurumidzai kuzondibatsira Imi TENZI muponesi wangu. Kureurura kwemunhu ari kurwadziwa Ndakati regai ndingwarire zvandinoita kuti ndirege kutadza norurimi rwangu. Ndichabata muromo wangu kana vakaipa varipo chete. Ndakazviita chimumu zvangu chisingatauri ndakanyarara zvangu asi zvakanga zvisina chazvinobatsira. Kurwadziwa mwoyo kwangu kwatonyanya. Ndakatsva mwoyo mukati mangu pandairangarira ndakatsva neshungu. Ndipo pandakazotaura norurimi rwangu. TENZI ndiziviseiwo magumo angu uye kuwanda kwamazuva angu itaiwo kuti ndizive kusatana kupera kwamazuva angu. Tarisai muone kuti makaita kuti mazuva angu aite sezvanza zvamaoko kureba, nguva youpenyu hwangu hapana zvairi kwamuri. Chokwadi munhu wose akangoita sefemo zvaro. Dzepfunde Zvirokwazvo munhu anofamba somumvuri, chokwadi vanotambudzika nhando; munhu anounganidza asi haazivi anozozvitora. Zvino chandinomirira ipapa chii nhai TENZI? Ndinovimba nemi. Ndinunureiwo kuzvitadzo zvangu. Musandirege ndichishorwa namapenzi. Ndakazviita chimumu chisingazarure muromo nokuti ndimi makazviita. Ndibvisireiwo shamhu yenyu pandiri. Ndasakara nokurohwa neruoko rwenyu. Kana mava kuranga munhu neshamhu muchimutsiura zvitadzo zvake, munoparadza zvaanodisisisa sechitemamachira; chokwadi munhu upi noupi ifemo zvaro. Dzepfunde. Inzwaiwo munamato wangu TENZI munzwe chichemo changu. Musanyararire misodzi yangu nokuti ndiri muenzi wenyu anopfuura mupfuuri zvake akafanana namadzitateguru angu. Musandidzvokore kuti ndifarewo ndisati ndapfuura ndichiva chinhu pasina. Rwiyo rwokurumbidza nokukumbira rubatsiro Ndakamira ndamirirazve TENZI, iye akarerekera kwandiri akanzwa chichemo changu. Akandiburitsa mugomba rinounga, kubva munhope yomunyakwe. Akanditsikisa padombo akatsigisa kufamba kwangu. Akaisa rwiyo rutsva pamuromo pangu, rumbo rwokurumbidza Mwari wedu; vazhinji vachazviona vakatya vachizovimba naTENZI. Akakomborerwa munhu anovimba naTENZI asingatsaukiri kuna vanozvikudza, kuvanhu vanoteterekera kuna vamwari vasirivo. TENZI Mwari makatiitira zvinhu zvizhinji, zvinhu zvinoshamisa zvamakatirongera. Hapana angaenzaniswe nemi. Dai kuri kuti ndinozviparidza ndichizvitaura hazvaiverengeka. Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamunofarira asi chamakandipa inzeve dzinonzwa. Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo hamuikumbiri. Ndipo pandakati, “Tarisai ndinouya Mubhuku rokumononora makanyorwa nezvangu muchinzi: ‘Ndinofarira kuita kuda kwenyu, Mwari wangu mutemo wenyu uri mumwoyo mangu.’ ” Ndakaparidza shoko rinofadza roruponeso musangano guru. Handina kumbomedza mate sokuziva kwenyu TENZI. Handina kuvanza mumwoyo mangu kutaura zvoruponeso rwenyu runobatsira. Ndakataura nezvokutendeka kwenyu nokununura kwenyu. Handina kuvanza mwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu kusangano renyu guru. Musarege henyu kundiitira tsitsi TENZI. Nomwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu, rambai muchingondichengeta. Nokuti nhamo dzisingaverengeki dzandimomotera, zvitadzo zvangu zvandikunda zvokutotadza kuona. Zvakawanda kupinda vhudzi romusoro wangu. Ndarasa mwoyo ini. Ngazvikufadzei TENZI kundinunura Mwari chimbidzai kundibatsira. Vanoda kundiuraya ngavanyadziswe vadzungaire zvachose vanoda kubvuta upenyu hwangu. Ngavadzorwe vanyadziswe avo vanoda kundikuvadza. Ngavakatyamare pamusana pokunyara kwavo vanondisveeredza vachiti, “Tsvatu waro tsvatu waro.” Asi vose vanokutsvakai ngavapembere nokufara mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “TENZI mukuru.” Asi iniwo zvangu ndiri murombo nomunhu asina chaanacho. Asi TENZI anondifunga; ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu musanonoke Mwari wangu. Munamato womunhu anorwara Akakomborerwa munhu anofunga vanhu venhamo TENZI anomununura pazuva renhamo. TENZI anomuchengeta nokumuraramisa; achamupa rufaro panyika. Hamuisi mumaoko avavengi vake. TENZI achamusimbaradza paanenge arere nokurwara. Munosandura kurwara kwake muchimupa utano. Asi ini ndakati ndinzwirewo ngoni ndiporeseiwo nokuti ndakakutadzirai. Vavengi vangu vanotaura nezvangu noutsinye vachiti, “Ko anofa rinhiko iyeyu, zita rake ritsakatike.” Panouya munhu kuzondiona anotaura achichema-chema zvenhando iye achitoongorora zvake zvinenge zvakaipa; kana abuda ndizvo zvaanoparidzira kose kose. Vose vanondivenga vanoita kazevezeve nezvangu, vanotofunga kuti ndichawirwa nezvakatoipisisa. Vanoti hazvimbomusiya izvi; paarere haambopamuka apa. Kunyange shamwari yangu chaiyo yapamwoyo yandaivimba nayo, yandaidya nayo, yakandimukira. Asi imi TENZI ndinzwireiwo ngoni mundisimudze ndivadzorerewo. Ndinobva ndaziva naizvozvo kuti munofadzwa neni zvokuti mhandu dzangu dzinenge dzisina kundikurira. Asi imi munenge manditsigira pamusana pokuvimbika kwangu mukandiisa pamuri nokusingaperi. Ngaarumbidzwe TENZI waMwari waIsiraeri narini narini. Ameni Ameni. Munamato womunhu ari muutapwa Sokusuwira mvura inoyerera — kunoita nondo, ndiko kukusuwirai kwandinoita, Mwari. Mweya wangu une nyota nemi Mwari, imi Mwari mupenyu. Ndichauya riniko ndizoona uso hwaMwari? Upenyu hwangu yangova misodzi chete siku nesikati vanhu vachingonditi, “Iye Mwari wako aripi?” Zvinhu izvi ndinozviyeuka ndichirwadziwa mwoyo: kuenda kwandaiita negurusvusvu ravanhu ndichitungamirira dungwerungwe ravo kuimba yaMwari nomupupuru nedzimbo dzokutenda, manyore manyore avanhu vachichengeta zuva guru. Ko ndasururavara neiko kudai iyeni? Ko ndadzongodzwa mwoyo mukati mangu seiko kudai? Ndinofanira kutarisira muna Mwari nokuti ndichamurumbidzazve iye rubatsiro rwangu naMwari wangu. Ndinosuruvara mumwoyo mangu, saka zvinondipa kukurangarirai ndiri munyika yokuJorodhani nokuHerimoni, ndiri kugomo reMiza. Maungira anodairana pakutinhira kunoita mapopo enyu. Masaisai enyu ose namasundesunde andifukidza. TENZI anoratidza mwoyochena wake masikati; usiku ndinobva ndadandaura kuimba rumbo rwake kuri kunyengetera kuna Mwari woupenyu hwangu. Ndinoti kuna Mwari, dombo rangu, “Makandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nokushushwa kwandinoitwa nemhandu?” Vavengi vangu vanondishora sokunge ndinodzimbirwa paronda riri mumuviri wangu. Vachingonditi, “Mwari wako aripiko?” Ko ndasuruvara neiko kudai iyeni ko ndadzongodzwa mwoyo mukati mangu seiko kudai? Ndinotarisira kuna Mwari nokuti ndichamurumbidzazve iye rubatsiro rwangu naMwari wangu. Ndipembedzei Mwari mundidzivirirewo pamhosva yangu kuvanhu vakaipa mwoyo. Ndinunureiwo kuvanyengedzi navanhu vakaipa. Nokuti imi Mwari ndimi diziro rangu, mandirasireiko? Ndinofambirei ndichichema nokushushwa kwandinoitwa nemhandu? Tumai mwenje wenyu nechokwadi chenyu zvinditungamirire zvinditsvitse kugomo renyu rinoera nokwamunogara. Ndinobva ndaenda kuatari yaMwari, kuna Mwari anondipa rufaro rusingatauriki. Ndichakurumbidzai nechipendani Mwari, Mwari wangu. Ko ndasuruvara neiko kudai iyeni ko ndadzongodzwa mwoyo mukati mangu seiko kudai? Ndinotarisira muna Mwari nokuti ndichamurumbidzazve iye rubatsiro rwangu naMwari wangu. Nyika inokumbira kudzivirirwa Mwari isu takanzwa nenzeve dzedu, madzitateguru edu akatitaurira zvamakaita pamazuva avo pasichigare. Imi makadzinga vechirudzi namaoko enyu, uye kuti ivo vadzikemo misha, makatambudza vechirudzi mukavatandanisa. Havana kukurira nyika nehondo yebakatwa kana kukunda nesimba roruoko rwavo; asi noruoko rwenyu rworudyi nesimba roruoko rwenyu uye nechiedza chouso hwenyu nokuti makafadzwa navo. Ndimi mambo wangu naMwari wangu itii vokwaJakobho vakunde. Nesimba renyu tinokurira mhandu dzedu; nezita renyu tinotsikatsika vanotirwisa. Handivimbi nouta hwangu kunyange bakatwa rangu harindiponesi. Asi imi makatinunura kumhandu dzedu mukanyadzisa vanotivenga. Tinovimba nguva dzose naMwari wedu uye tichatenda Mwari wedu nokusingaperi. Dzepfunde. Asi zvino makatirasa mukatinyadzisa uye hamuna kutsigirana nehondo dzedu. Mukaita kuti titize vavengi vedu mhandu dzedu dzikatowana zvadzo zvokupamba. Makatiita sehwai dzokubaya mukatimwararisa mukati memarudzi. Makatengesa vanhu venyu nomutengo usina maturo asi chamakabura ipapo hapana. Makatishoresa navavakidzani vedu tikave chiseko nechinhu chinonyombwa navakatipoteredza. Tatove tsumo pakati pevechirudzi. Mukati mavanhu, tinotodzungudzirwa musoro. Zuva rose ndinoswera ndichinyara ndadonha uso nokunyara namashoko okunyomba nokushora pamberi pomuvengi nomutsividzi. Zvose izvi zvakatiwira asi isu tisina kukukanganwai kana kusatendeka kuchitenderano chenyu. Mwoyo yedu haina kufuratira uye tsoka dzedu hadzina kutsauka pagwara renyu. Asi imi makatipwanya panzvimbo inogara makava, mukatifukidza nerima rakati kwirindindi. Dai kuri kuti takakanganwa zita raMwari wedu kana kusimudzira maoko edu kuna Mwari asiri iye, iye Mwari angadai asina kuzviona here? Nokuti anoziva wani zviri mumwoyo zvakavandika. Inga tinouraiwa zuva rose tichitorwa sehwai dzokubaya. Mukai TENZI, munokotsirireiko? Mukai musatirase zvachose. Munozvivanzirei uso? Munokanganwirei nhamo nokushushwa kwatinoitwa. Tazvambarara muguruva, tachiti kwati kwati pasi. Simukai muuye kuzotibatsira. Tinunureiwo nokuda kwomwoyochena wenyu. Rwiyo rwomuchato wamambo Mwoyo wangu unotutuma namashoko akanaka ndinodetemba nhetembo yangu kuna Mambo rurimi rwangu rwakaita sepenzura yenyanzvi yomunyori. Imi makanaka chimiro kupinda vanhu vose mune rurimi runotaura zvinonwisa mvura; saizvozvo Mwari akakukomborerai narini narini. Imi gamba pakatirai bakatwa renyu rinokupai mbiri nechiremera chenyu, mufambe nechiremera nokukunda kwenyu muchimiririra chokwadi noruenzaniso ruoko rwenyu rworudyi ruratidze zviito zvinotyisa. Miseve yenyu yakapinza inobaya mwoyo yavavengi venyu, mambo. Vanhu vanowira pasi penyu chigaro chenyu choushe chakagadzwa naMwari chinogara nokusingaperi. Tsvimbo yenyu youshe itsvimbo yokutendeka. Munoda ururami muchivenga uipi, naizvozvo Mwari, Mwari wenyu akakuzodzai namafuta anoratidza kufara kuti muve pamusoro pavamwe venyu. Magemenzi enyu anonhuwirira mura nearosi nekasia. Mumuzinda wenyu wakashongedzwa nenyanga dzenzou, madimbwa anokufadzai. Vanasikana vamambo varipo pakati pavakadzi vomumuzinda, kurudzi kwenyu kwakamira mambokadzi anezvishongo zvendarama yokuOfiri. Chinzwa mwanasikana, nyatsopafungisisa uteerere: vanhu vokwako neveimba yokwababa vako kanganwa. Mambo achafadzwa norunako rwako. Zvaari tenzi wako mukotamire. Vanhu vokuTire vachakuunzira zvipo, ivo vapfumi chaivo vachakuunzirai upfumi hworudzi norudzi. Mukunda anoshongedzwa muimba make namagemenzi akarukwa nendarama. Anozotungamidzwa kuna mambo akapfeka magemenzi ana mavara mavara aine mhandara dzake dzokumuperekedza mudungwerungwe rake. Vanotungamirirwa nomufaro vachipururudza vachipinda mumuzinda wamambo. Vokutsiva madzibaba enyu, mambo muchava navana muchavaita madzishe apanyika pose. Ndichaita kuti zita renyu rirangarirwe pazvizvarwa zvose naizvozvo marudzi avanhu achakurumbidzai narini narini. Mwari anesu Mwari ndiye diziro redu nesimba redu. Mubatsiri anogara ari padyo panguva yenhamo. Saka hatityi kunyange nyika ikasanduka kunyange makomo akazunguzika zvokuwira mukatikati megungwa, kunyange mvura yaro ikatinhira nokupupuma, kunyange makomo akazunguzika zvawo noruzha rwaro. Dzepfunde Kune rwizi runotukova tunofadza guta raMwari; nzvimbo yokugara inoera yoWokumusorosoro. Mwari ari mukati maro; harichazombokurirwa. Mwari acharibatsira kumambakwedza chaiko. Kunyange marudzi akaita zvawo bongozozo uye umambo noumambo hukazungunutswa anongotaura chete nezwi rake, nyika ichibva yanyungudika. TENZI wehondo nehondo anesu Mwari waJakobho ndiye diziro redu. Dzepfunde Uyai muone mabasa aMwari akaita zvisingatauriki panyika. Anomisa hondo kusvika kwakaperera nyika, anotyora uta achityoranisa mapfumo, anopisa ngoro dzehondo nemoto. Nyararai muti zii muzive kuti ndiri Mwari, ndinorumbidzwa pakati pamarudzi, ndinorumbidzwa panyika. TENZI wehondo nehondo anesu Mwari waJakobho ndiye diziro. Muimbisi, urwu Rwiyo rwevekwaKora. Uchirai imi marudzi ose avanhu. Daidzirai kuna Mwari muimbe kwazvo norufaro nokuti TENZI Wokumusorosoro anotyisa kwazvo. Ndiye mambo mukuru wapasi pose. Akaita kuti tikunde marudzi avanhu, akaisa marudzi pasi petsoka dzenyu. Ndiye akatisarudzira nyika yenhaka yedu, nhaka inodadisa yaJakobho wake wapamwoyo. Dzepfunde Mwari anokwira pamusoro achipurudzirwa, TENZI achipembererwa nebhosvo. Imbirai Mwari muchimurumbidza, muimbirei muchimurumbidza. Imbai muchirumbidza Mambo wedu muimbirei muchimurumbidza nokuti Mwari ndiye mambo wapasi pose muimbirei muchimurumbidza norumbo. Mwari ndiye anotonga vechirudzi Mwari anogara pachigaro chake chokutonga chinoera. Madzishe amarudzi avanhu anoungana savanhu vaMwari waAbhurahamu nokuti vachengetedzi venyika ndevaMwari anorumbidzwa zvikuru kwazvo. Zioni guta raMwari TENZI mukuru anofanira kurumbidzwa zvikuru muguta raMwari wedu, mugomo rake rinoera. Kuti dzu-u kwaro kunoyevedza, rinopa rufaro pasi pose. Iro gomo reZioni riri kuchamhembe iguta ramambo mukuru. Mukati nhare dzaro dzokuzvidzivirira muhondo, Mwari akaratidza kuti ndiye mudziviriri wechokwadi nokuti tarisai muone madzimambo akakokorodzana, vakauya kuzoita chirwirangwe. Pavakazviona izvi, vakadumbirwa kwazvo zvakavatyisa ndokubva vati ware kutiza. Vakadedera ipapo vakarwadziwa somudzimai ari pahata. Makaparadza ngarava dzokuTarishishi nedutu rokumabvazuva. Zvatakanzwa ndizvo zvatakaonawo muguta raTENZI wehondo nehondo, muguta raMwari wedu Mwari acharisimbisa nokusingaperi. Dzepfunde Mukati meTemberi yenyu, Mwari, tinorangarira nezvomwoyochena wenyu. Sezvakangoita zita renyu Mwari, ndizvozvo zvakaita mbiri yenyu inosvika kwakaperera nyika. Ruoko rwenyu rworudyi rwuzere nokururama ngarifare. Guta rapagomo reZioni ngarifare. Tumaguta twokwaJudha ngatufare pamusana pokutonga kwenyu. Famba fambai neguta reZioni, tendererai naro muverenge nharire dzaro. Nyatsoongororai tsvingo dzaro munyatsotarisa nharo dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo kuti mozoudza chizvarwa chinotevera nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu narini narini; ndiye achatitungamirira narini narini. Muimbisi, urwu rwiyo rwevekwaKora Inzwai imi mose marudzi avanhu teererai imi vagari vapanyika. Imi voruzhinji nemi vakuru vakuru imi vapfumi navarombo pamwechete. Muromo wangu uchataura ungwaru zvandinorangarira mumwoyo mangu zvinonzwisisika. Ndicharerekera nzeve yangu kutsumo. Ndicharapanura chirahwe changu mukuimba kwangu nechipendani. Ndingatyirei zvangu pamazuva akaipa kana uipi hwavavengi vangu hwandikomberedza. Vanhu vanovimba noupfumi hwavo vachazvikudza nokuwanda kwopfuma yavo? Asi hapana munhu angambogona kuzvidzikinura kana kuripa Mwari mutengo woupenyu hwake. Nokuti muripo woupenyu hwomunhu mukuru haumbofa wakakwana kuti arambe ari mupenyu nokusingaperi asina kuwana kuora. Achatozviona kuti kunyange vangwaru vanofa. Benzi nedununu vanoparara zvimwechetezvo vachiisiira upfumi hwavo kuna vamwe. Makuva avo ndiwo achava misha yavo nokusingaperi. Ndiyo nzvimbo yavo yokugara pazvizvarwa zvose. Kunyange vakatumidza nyika namazita avo. Munhu haagoni kuramba ane mukurumbira wake; akangoitawo semhuka dzinoparara. Iwoyu ndiwo mugumo wavanhu vanozvitora; mugumo wavanhu vanofarisa nezvavanazvo. Dzepfunde Sehwai, vanotemerwa kuenda kunzvimbo yavakafa. Rufu ruchava mufudzi wavo vakarurama vachavatonga mangwanani chaiwo uye muviri wavo uchadyika. Nzvimbo yavakafa ndiyo ichava musha kwavari. Asi Mwari achandinunura upenyu kusimba renzvimbo yavakafa nokuti achandigamuchira. Dzepfunde Usakatyamare zvako kana munhu akava mupfumi kunyange mbiri yemba yake ikadhuma nokuti paanofa hapana chaanoenda nacho. Mbiri yake haidziki naye ichimutevera nokuti kunyange zvazvo paaiva mupenyu aizviti akakomborerwa uye kunyange akarumbidzwa zvake paanenge abudirira. Achatoenda kuchizvarwa chamadzitateguru ake vasingazombofa vakaona chiedza. Munhu haagoni kuramba aine mukurumbira wake akangoitawo somhuka dzinoparara. Kunamata kwepachokwadi Iye Samasimbaose TENZI Mwari anotaura, anodaidzira pasi pose kubvira kumabvazuva kusvikira kumadokero. Mwari anopenya ari mugomo reZioni, gomo rakanakisisa kwazvo. Mwari wedu anouya haanyarari. Pamberi pake pane moto unoririmisa akatenderedzwa nedutu remhepo. Anokoka matenga kusoro nenyika kuti atonge vanhu vake. “Ndiunganidzirei vakazvipira kwandiri vakaita chitenderano nechibayiro neni.” Matenga anotaura nezvoururami hwake nokuti iye Mwari ndiye mutongi. Dzepfunde “Teererai munzwe imi vanhu vangu ini ndichataura imi vaIsiraeri ndichakupai mhosva ndini Mwari, Mwari wenyu. Handikutsiurirei zvibayiro zvenyu, mipiro yenyu yokupisa inogara iri pamberi pangu. Handichagamuchiri handira kubva kumba yenyu kana chikotora mudanga renyu nokuti mhuka yose zvayo yesango ndeyangu kana idzo mombe mumakomo akazanirana. Shiri dzose dzomumakomo ndinodziziva uye zvose zvinofamba musango ndezvangu. Dai kuri kuti ndaita nzara, handaiudza iwe nokuti pasi pose nazvose zviripo ndezvangu. Ko ini ndinodya nyama yehandira here kana kunwa ropa rembudzi here? Kutenda kwako ngakuve chibayiro chako uite zvawakatsidza kuita kunoWokumusorosoro. Pakadaro daidzira kwandiri pazuva renhamo ndichakununura ukatozondirumbidza.” Kune wakaipa Mwari anoti, “Unodetemberei mitemo yangu, kana kutaura pamuromo pako chitenderano changu? Zvokudzorwa haudi uye unofuratira mazwi angu. Ukaona mbavha unobva waita ushamwari nayo uye unoita usahwira nemhombwe. Unotopa muromo wako manyemwe okutaura zvakaipa. Rurimi rwako runoronga unyengedzi Unogara pasi uchitaura zvakaipa nezvemukoma kana munun'una wako uchinyeya mwana wamai vako chaiye. Wakaita izvi, asi inindikanyarara zvangu, wakafungaka iwe kuti ndakafanana newe; zvino ndinokutsiura ndichikupa mhosva. Nzwisisai izvi, imi munokanganwa Mwari ndingadaro ndikabvarura munhu pagoshaya anonunura. Chibayiro chokutenda chinondiremekedza uye munhu anogadziridza upenyu hwake ndichamuratidza ruponeso rwaMwari.” Munamato wokupfidza Ndinzwireiwo tsitsi Mwari pamusana pemwoyochena wenyu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Pfudzai kukanganisa kwangu. Ndishambidzei kwazvo kuuipi hwangu mundinatsewo kuchitadzo changu nokuti kukanganisa kwangu ndinokuziva uye chitadzo changu chinogara chiri pamwoyo pangu. Imi, imi chete ndimi vandakatadzira, kwamuri ndakaita zvakaipa zvokuti zvamakatema zvakarurama uye kutonga kwenyu hakuna chinoshoreka. Onai kuti ndakaberekwa muuipi mai vangu vakabata pamuviri pangu ndiri muchitadzo. Inga wani munoda chokwadi mukatikati momunhu; naizvozvo ndidzidziseiwo ungwaru mukatikati mangu makavandika. Ndinatsei nakapazi komuhisopu ini ndichabva ndachena ndishambidzei ndibva ndachena kupinda mazaya echando. Regai ndinzwe kufara, ndipembere nokufara. Ndifaranutsei pakundityora mapfupa kwamakaita. Dai marega tarisa zvitadzo zvangu mupfudze zvenyu uipi hwangu hose. Ndipei mwoyo wakachena Mwari wangu muise mandiri mweya kwawo mutsva. Musandidzinge pamuri uye musabvise Mweya wenyu mutsvene mandiri. Ndidzorerewo rufaro rworuponeso rwenyu mundichengetedze ndiine mwoyo wokuteerera. Ndingatozodzidziswa nzira dzenyu vanhu vanokanganisa, vatadzi vachitozodzokerawo kwamuri. Ndinunureiwo Mwari kumhosva yokuparadza ropa, imi Mwari mununuri wangu rurimi rwangu ruchapururudzira kununura kwenyu. TENZI zarurai miromo yangu muromo wangu uparidze mbiri yenyu. Nokuti hachisi chibayiro chamunofarira imi, kunyange zvazvo ndaipira mupiro wokupisa hamaimbofadzwa nawo, chibayiro changu kunemi Mwari, mwoyo wakatyoka-tyoka mwoyo wakatyoka uye wakatendeuka hamushore, Mwari. Itirai Zioni zvakanaka sokuda kwenyu; vakai zvakare masvingo eJerusaremu. Ipapo muchafadzwa nezvibayiro zvakarurama zvibayiro zvokupisa uye zvibayiro zvokupisa mutumbi wose. Ipapo handira dzichapirwa paatari yenyu. Mugumo wowakaipa Nhai iwe gamba unozvikudzireiko nezvakaipa uchiti Mwari akanaka misi yose. Saka zuva rose uchitoronga zvako zvokuparadza. Rurimi rwako rwakaita sechisvo chinopinza, iwe murongi wounyengedzi. Unoda zvakaipa kupinda zvakanaka, unoda nhema kupinda kutaura zvakarurama. Dzepfunde Unoda mazwi anokuvadza iwe munyengedzi. Asi Mwari achakukoromora nokusingaperi achakubata agokubvuta mutendhe rako. Achakutipura kubva munyika yavapenyu. Dzepfunde Vakarurama vachizviona vachakatyamara vakamuseka vachiti, “Tarisai muone munhu asina kuda kupotera muna Mwari; asi akavimba nokuwanda kwoupfumi hwake akapotera muupfumi hwake.” Asi ini ndakaita somuorivhi munyoro mumba maMwari. Ndinovimba nemwoyochena waMwari narini narini. Ndichakutendai nokusingaperi nokuti makazviita. Ndicharumbidza zita renyu pana vakarurama nokuti rakanaka. Munhu wakaipa Benzi rinoti nechomumwoyo, “Hakuna Mwari.” Vane tsika dzakaora vanoita zvakaipa zvinosemesa; hapana anoita zvakanaka. Mwari ari kudenga akatarisa pasi kuvanhu kuti aone kana pana vanoita zvine ungwaru. Vanotsvaka Mwari, vose vakatsauka, vose vakangofanana, vane tsika dzakaora. Hapana anoita zvakanaka kana mumwechete zvake. Ko havanzwisisi here, ivo vaiti vezvakaipa vanodya vanhu vangu savanodya chingwa vasingachemi kuna Mwari? Ikoko vachabatwa nokutya kukuru, kutya kusati kwamboitika. Nokuti Mwari achamwararisa mapfupa ouyo anokukombai. Iwe uchatonyarawo nazvo, nokuti Mwari akavarasa. Dai ruponeso rweIsiraeri rwangobva kugomo reZioni, Mwari ava kudzosa vaIsiraeri kuutapwa; vokwaJakobho vachapembera kufara; vokwaIsiraeri vachafara. Muimbisi, urwu rumbo rwaDhavhidhi, runoimbwa nezvokuimbisa zvetambo dzewaya; nderwekuenda kwakaita Zefoni achindoudza Sauro kuti Dhavhidhi akavanda pakati pedu. Ndinunureiwo Mwari nezita renyu, nesimba renyu mundipembedze. Inzwaiwo munamato wangu, Mwari; teereraiwo mazwi omuromo wangu nokuti madzenga avanhu andimukira mharadzi dzinoda kundiuraya. Havana hanya nezvokuti kuna Mwari. Dzepfunde Chinzwai, Mwari ndiye mubatsiri wangu. TENZI ndiye muchengeti woupenyu hwangu. Achadzorera vavengi vangu nezvakaipa. Pamusana pemwoyochena wenyu vaparadzei. Ini ndichapira chibayiro chokupa nomwoyo wangu; ndichatenda zita renyu nokuti rakanaka nokuti makandinunura kunhamo dzose. Ndikaona nameso angu kukundwa kwavavengi vangu. Munamato womunhu apandukirwa neshamwari Inzwaiwo munamato wangu, Mwari; musavande chikumbiro changu. Nditeererei mundipindurewo, nhamo yangu yandiomera. Ndadumbirwa ini noruzha rwavavengi pamusana poudzvinyiriri hwavakaipa vanondiunzira nhamo. Vanoita daka neni zvine hasha. Ndinoshunguridzika mwoyo mukati mangu, ndawirwa nokutya rufu. Kutya nokudedera zvauya pandiri. Ndabatwa nokutya kwakanyanya. Nezvo ndinoti dai zvangu ndiina mapapiro senjiva, ndaibhururuka ndikandozorora. Ndaibhururukira kure ndichindogara kurenje. Dzepfunde Ndaikurumidza kundozvitsvagira pokuvanda mhepo inovhuvhuta nesimba nedutu guru. TENZI paradzanisai mupesanise ndimi dzavo nokuti ndinoona utsinye nokurwisana muguta. Siku nesikati vanoritenderera napamusoro pemasvingo aro. Unhunzvatunzva nokunetsa zvirimo. Mune kuparadza mukati maro; uye udzvinyiriri nounyengedzi hazvibvi pamusika pavo. Dai kuri kuti muvengi anondisokosa, ndaitirira zvangu. Dai kuri kuti imhandu inondisora, ndaikwanisa kuivanda. Asi kuti ndiwe wezera neni, mumwe wangu shamwari yangu chaiyo. Taimbokurukurirana zvakanaka kwazvo. Tichifamba tose noushamwari mumba yaMwari. Ngavaerekane vaparara vaende kunzvimbo yavakafa vari vapenyu kudaro nokuti uipi huri mavanogara, huri pakati pavo. Asi ini ndinochema kuna Mwari, TENZI achandinunura. Manheru namangwanani uye masikati, ndinoisa chichemo changu ndichidemba; iye achanzwa izwi rangu. Achandinunura norugare pahondo yandiri kurwisa nokuti vanondirwisa vakawanda. Mwari achanzwa zvake agovaninipisa, iye ari pachigaro choushe kubvira pasi chigare nokuti havasanduki uye havatyi Mwari. Dzepfunde Mumwe wangu akarwisana neshamwari dzake; akatyora chitenderano chake, kutaura kwake kwakanga kwakapfavirira kupinda dovi asi mumwoyo make iri hondo chaiyo. Mazwi ake akanga akapfava kupinda mafuta asi ari mapakatwa akazvomorwa. Turira mutoro wako kuna TENZI iye achaita kuti urambe wakagwinya. Haambobvumira kuti vakarurama vazunguzwe. Asi imi Mwari dzikandei mugomba rapasi pasi mhondi idzodzi, vanhu voujarijari vasati vambosvika pakati napakati poupenyu hwavo. Asi ini ndichavimba nemi. Munamato wokuvimba naMwari Ndinzwireiwo tsitsi, Mwari nokuti vanhu vanonditsika-tsika nokuti vavengi vangu vanondionesa nhamo zuva rose. Mhandu dzangu dzinonditsika-tsika zuva rose nokuti vanondirwisa vakawanda Wokumusorosoro wee! Wokumusorosoro pandinenge ndavakutya ndinovimba nemi. Ndinovimba naMwari ana mashoko andinorumbidza. Ndinovimba naMwari ndisingatyi. Vanhu vangandiiteiko? Zuva rose vanoisa napasipo zvandinotaura, zvavanofunga ndezvokundikuvadza chete. Vanoungana pamwechete kundivandira vachitarisa mafambiro angu vachigaririra kuti vandiuraye. Naizvozvo varangirei mhosva yavo, Mwari putsirai marudzi pasi. Munoziva kuyaura kwangu. Chingidzirai misodzi yangu muguchu renyu redehwe. Handiti zvakanyorwa mubhuku renyu here? Ipapo vavengi vangu vachadzoserwa shure pazuva randinodanidzira. Izvi ndinozviziva kuti Mwari ari kudivi kwangu. Ndinovimba naMwari ana mashoko andinorumbidza, naTENZI ana mashoko andinorumbidza. Ndinovimba naMwari ndisingatyi. Vanhu vangandiiteiko. Ndinofanira kuita zvakandatsidza kwamuri Mwari. Ndichapira kwamuri mupiro wangu wokutenda. Nokuti makandinunura kurufu uye makumbo angu kuti arege kudzadzarika kuti ndifambe pana Mwari muchiedza choupenyu. Munamato wokukumbira rubatsiro Ndinzwireiwo tsitsi Mwari, ndinzwireiwo tsitsi nokuti ndinopotera kwamuri. Ndinovanda nomumvuri wamapapiro enyu kusvikira dutu rokuparadza rapfuura. Ndinochema kwamuri, Mwari wokumusorosoro, kuna Mwari Mupedzanhamo wangu. Achandinunura ari kudenga ikoko; achanyadzisa vanonditsikatsika. Dzepfunde Mwari achandiitira mwoyochena uye achave akatendeka kwandiri. Ndirere pakati peshumba dzavanhu dzinongandukira vanhu somoto. Mazino avo mapfumo nemiseve chaiyo ndimi dzavo mapakatwa zvawo kupinza. Dai mangokudzwa zvenyu imi Mwari kumusoro kumatenga mbiri yenyu itekeshere pasi pose. Vakanditeya makumbo namambure, ndadzungaira ini. Vakachera gomba munzira mangu; asi vakawira mariri ivo pachavo. Dzepfunde Mwoyo wangu wakagadzikana, Mwari, mwoyo wakagadzikana; ndichaimba ndichirumbidza. Muka iwe mweya wangu, mukai imi dimbwa nechipendani ndimutse mambakwedza. Ndichakutendai TENZI pakati pavanhu vamarudzi. Ndichaimba ndichikurumbidzai pakati pendudzi dzavanhu nokuti mwoyochena wenyu mukuru kusvika kumatenga uye kutendeka kwenyu kunosvika kumakore. Dai mangokudzwa zvenyu Mwari kumusoro kumatenga mbiri yenyu itekeshere pasi pose. Mwari mutongi wavatongi Imi madzishe zvamunotema zvine ruenzaniso here? Munotonga vanhu zviri pamutsetse here? Kwete, imi mumwoyo menyu munoronga zvisina kunaka; munoita utsinye panyika namaoko enyu. Vakaipa vanotsauka kubvira mudumbu; vanokanganisa kubvira pakuberekwa kwavo vachitaura nhema. Vane uturu, uturu hunenge hwenyoka sechiva chinodzivira nzeve dzacho kuti chirege kunzwa izwi ravadaidzi wenyoka kana roujarijari hwamapipi okuimba. Mwari, tyoranisai mazino mukanwa mavo kwachurai TENZI mazino marefu eshumba dzechidiki. Ngavanyangarike semvura inoyerera; ngavatsikirirwe souswa vaune. Ngavaite sehozhwa inonyungudika kuita masiriri, semwana akaberekwa asina kusvika asingambofa akaona chiedza. Hari dzenyu dzisati dzambonzwa moto wetsotso dzeminzwa minyoro kana yakaoma Mwari ngaavatsvaire. Mururami achafara paanoona kutsividza ikoko. Achatoshamba zvake tsoka dzake muropa ravakaipa. Vanhu vachati chokwadi pane mubayiro wavarurami; chokwadi kuna Mwari anotonga panyika. Kukumbira kuchengetedzwa Ndinunureiwo Mwari kuvavengi vangu. Ndidzivirireiwo kune vari kundimukira. Ndinunureiwo kuvaiti vezvakaipa, ndiponeseiwo kuvanhu vanofarira kudeura ropa. Nokuti tarisai muone vanondihwandira vachida kundiuraya. Varume vanotyisa vanoita chirwirangwe kundirwisa pasina kukanganisa kana kutadza kwandaita, TENZI. Pasina mhosva yandaita vanomhanya kundogadzirira. Simukai muuye kuzondibatsira, muone zvenyu. Imi TENZI Mwari wehondo nehondo ndimi Mwari weIsiraeri. Simukai murange marudzi ose; musararamise kana mumwechete waavo vanoita bangano rakaipa. Dzepfunde. Manheru oga oga vanodzoka vachihuhudza sembwa vachipota naro guta. Ipapo vachihon'a nemiromo yavo vaina mazwi anobaya mwoyo pamiromo yavo nokuti vanoti, “Ndiani angatinzwe.” Asi imi TENZI munovaseka zvenyu munoshora vechirudzi vose. Imi, simba rangu, ndinotarisa kwamuri nokuti imi Mwari ndimi nhare yandinozvidzivirira nayo muhondo. Mwari, nemwoyochena wake, achandichingura. Mwari wangu achaita kuti nditarise vavengi vangu vakundwa. Regai kubva mavauraya vanhu vokwangu vangakanganwe; vadzungaidzei nesimba renyu mozovawisira pasi, TENZI, nhowo yedu. Pamusana pechitadzo chemiromo yavo chavakataura nemiromo yavo, ngavakachikirwe nokuzvikudza kwavo nokuda kwokurengerera kwavo vamwe rushambwa nokureva nhema kwavanoita, vaparadzei nehasha; vaparadzei zvokusazovapozve kuti vanhu vazive kuti Mwari ndiye anotonga vokwaJakobho kusvikira kwakagumira nyika. Dzepfunde. Manheru oga oga vanodzoka vohuhudza sembwa vachipota naro guta vanodzengerera vachitsvaka chokudya vachihon'a kana vasina kuguta. Asi ini ndinoimba ndichirumbidza simba renyu. Ndichaimba ndichidaidzira ndichirumbidza mwoyochena wenyu mangwanani nokuti imi ndimi manga muri nhare yandinozvidzivirira nayo muhondo uye diziro rangu panguva yenhamo. Imi simba rangu ndichaimba ndichikurumbidzai nokuti imi Mwari ndimi nhare yandinozvidzivirira navo muhondo. Mwari anondiitira mwoyochena. Munamato wokukumbira kununurwa Mwari makatirasa imi mukaparadza zvatinozvidzivirira nazvo makashatirwa. Dai machidzokera zvenyu kwatiri. Makazunza nyika mukaibvarura. Namai mitswe yayo nokuti iri kundengendeka. Makaita kuti vanhu venyu vatambure zvikuru; makatipa waini yakatidzedzeresa. Makasimudzira vanokutyai mureza kuti vahwande nechokwadi. Dzepfunde. Kuitira kuti vapamwoyo penyu vaponeswe, tiponesei nesimba roruoko rwenyu mutipindurewo. Mwari akatsidza noutsvene hwake achiti, “Ndichaganhura Shikemu ndichifara ndichagovawo mapani eSukoti. Nyika yeGiriadhi ndeyangu Manase ndeyangu Efuremu inguwani yangu, Judha ndiyo tsvimbo yangu youmambo Moabhu ndiyo mudziyo wangu wokugezera, pane yeEdhomu ndipo pandinokanda shangu dzangu Firisitia ichapururudzira kukunda kwangu.” Ko zvino ndiani anonditsvitsa kuguta kunhare yokuzvidzivirira naro muhondo. Ndiani achanditungamirira kuEdhomu? Hamuna kutirasa here nhai Mwari? Hamuchaperekedzi hondo dzedu, Mwari. Tibatsireiwo kurwisa mhandu dzedu nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo. Kana Mwari anesu tinorwisa zvine simba ndiye achatsikatsika mhandu dzedu. Munamato kana pane zvanetsa Mwari teererai chichemo changu munzwewo munamato wangu. Ndinodanidzira ndiri kwakaperera nyika ndavakurasa mwoyo. Ndikwidzei padombo rakareba kupinda ini nokuti ndimi diziro rangu nhare yakasimba pakurwiswana nomuvengi. Regai ndigare zvangu mutendhe renyu nokusingaperi ndivande zvangu pasi pamapapiro enyu. Dzepfunde Nokuti imi Mwari munonzwa mhiko dzangu munondipa nhaka yavanotya zita renyu. Pamhidzirai upenyu hwamambo makore ake ngaasvike kuzvizvarwa nezvizvarwa. Ngaarambe ari pachigaro chokutonga nokusingaperi pamberi paMwari mwoyochena nokutendeka ngazvive naye. Naizvozvo ndichaimbira zita renyu ndichikurumbidzai pandinopira pazuva nezuva zvandakatsidza. Kuvimba naMwari Ini ndinomirira zvangu Mwari ndakanyarara nokuti kwaari ndiko kunobva ruponeso rwangu. Iye chete ndiye dombo rangu noruponeso rwangu ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo handizobva ndazunguzwa zvakanyanya. Kusvikira riniko iyemi mose muchingoda kurwisana nomunhu kuti mumuparadze; munhu anongovawo zvake madziro akatsenhuka kana sewaya yava kuda kuwa. Vanotoronga zvokumuwisira pasi kubva pachigaro chake chapamusoro vanofarira kureva nhema vanopa chikomborero nomuromo yavo asi mukati mavo vachirengerera munhu rushambwa. Dzepfunde. Ini ndinomirira zvangu Mwari ndakanyarara nokuti ndinotarisira kwaari. Iye chete ndiye dombo rangu noruponeso rwangu ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo handimbozungunutswa. Ruponeso rwangu nokuremekedzwa kwangu zvinobva kuna Mwari Mwari ndiye dombo rangu rakasimba nediziro rangu. Vimbai naye nguva dzose imi vanhu, turirai kwaari zvose zviri mumwoyo menyu Mwari ndiye diziro redu. Dzepfunde Voruzhinji vakangoita sefemo zvaro; vanhu vopamusoro imhute hapana zvavari, vakaiswa pachikero chinosimuka; vanotokundwa kurema nefemo zvaro. Musavimbe nokuita zvokumanikidza vanhu kana kutarisira kuwana zvinhu nokupamba. Kunyange upfumi hukawanda zvahwo, usaise mwoyo wako mahuri. Mwari akataura ndakamunzwa kaviri kaviri achiti, “Muridzi woukuru ndiMwari.” Uye kuti imi TENZI ndimi mune mwoyochena nokuti munopa munhu maererano nezviito zvake. Kusuwira Mwari Mwari ndimi Mwari wangu ndinokutsvakai ini ndinokufirai nenyota. Nyama yangu inokutakwairirai senyika yakaoma yerenje isina mvura. Regai ndikuonei zvangu munzvimbo yenyu inoera, ndione simba renyu nembiri nokuti mwoyochena wenyu uri nani kupinda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai. Saka ndichakurumbidzai upenyu hwangu hwose. Ndichasimudza maoko angu ndichidaidza zita renyu. Mweya wangu uchadyiririra sokunge ndiri kudya mwongo namafuta muromo wangu uchakurumbidzai norufaro pandinokurangarirai ndiri pauvato hwangu ndichikufungai zvikuru panguva dzousiku dzokunamata nokuti ndimi manga muri muyamuri wangu. Pasi pamapapiro enyu ndinoimba norufaro. Ndinoti nemi name name, ruoko rwenyu rworudyi runondisimbisa. Asi vanoda kundiuraya vachadzika pasi pasi penyika. Vachauraiwa nehondo yebakatwa vachava nyama yamakava. Asi mambo achafara naMwari, vose vanopika naMwari vacharumbidza Mwari miromo yavarevi venhema ichazarirwa. Mwari ndidzivirireiwo Inzwai izwi rangu Mwari pandinonyunyuta, ndidzivirireiwo kumuvengi anotyisa. Ndivandisei kune zvinorongwa muchivande navakaipa kuzvinhu zvinoranganwa navakaipa. Vanorodza ndimi dzavo samapakatwa vachinangisa mazwi anorwadza semiseve. Vanopfura asina mhaka vakahwandira vachimupfura zvisina yambiro vasingatyi. Vanotsungirira kuita zvakaipa, vanokurukura nezvokuteya misungo muchivande vachiti, “Ndiani anotiona?” Vanotsvaga mhosva dzokupara vozoti, “Tanyatsoronga kwazvo uipi uhu nokuti pfungwa nemwoyo womunhu zvakadzama.” Asi Mwari achavapfura nomuseve wake achivakuvadza zvechivhurumukira. Rurimi rwavo ndirwo rwuchavapisa mhosva vose vachavaona vachadzungudza musoro. Ipapo vanhu vose vachatya vachakurukura zvinenge zvaitwa naMwari vachirangarira zvaanenge aita. Vakarurama ngavapembere kufara muna TENZI vavande maari. Vose vakanaka mwoyo ngavapururudze. Rwiyo rwokurumbidza nokutenda Mwari imi munofanira kurumbidzwa muZioni uye kuitirwa zvamakatsidzirwa. Imi munonzwa munamato, vanhu vose vachauya kwamuri nemhaka yezvitadzo. Kana zvikanganiso zvedu zvatikurira munozviregerera. Akakomborerwa zvake munhu wamunosarudza muchimuunza padyo kuti agare munhandare menyu. Munotigutsa nezvakanaka zvemba yenyu, Temberi yenyu inoera. Munopindura muchitinunura nezviito zvenyu zvinotyisa, imi, Mwari mununuri wedu, imi chitarisiro chavanhu vose kusvikira kose kwakaperera nyika, kusvikira kumakungwa ari kwokupedzisira chaiko. Imi makadzika makomo nesimba renyu, makapfeka simba renyu imi munonyaradza kutinhira kwamakungwa nokutinhira kwamasaisai awo namanyongori avanhu zvokuti vanhu vanogara kure kure kwakaperera nyika vanotya zviratidzo zvenyu. Munoita kuti mambakwedza nerubvunzavaeni zvipembere norufaro. Munoshanyira nyika muchiidiridza, munoipfumisa zvikuru. Rukova rwaMwari ruzere mvura ndimi munopa vanhu mbesa dzavo ndiwo marongero amakazviita. Munozadza mihoronga yayo nemvura zhinji nokusimbisisa mihomba yayo muchinyorovesa nokunaya kwayo nokukomborera zvinomera mairi. Munopedzisa gore nomukoho wakawanda. Panofamba ngoro dzenyu pachidonha mafuta. Mafuro omusango anenge achiyerera zvikomo zvinenge zvazara rufaro. Mafuro atekeshera nezvipfuwo, mapani azara nembesanwa. Zvinopembera nokuimba pamwechete norufaro. Rwiyo rwokurumbidza nokutenda Pururudzirai Mwari imi nyika yose. Imbirai mbiri yezita rake, murumbidzei zvikuru kwazvo. Itii kuna Mwari, “Hakusi kutyisa ikoko kunoita mabasa enyu; mabasa enyu makuru zvokuti vavengi venyu vanotokotama kwamuri. Nyika yose inokugwadamirai, vanokuimbirai vachikurumbidzai vachiimba vachirumbidza zita renyu.” Dzepfunde Uyai muone zvakaitwa naMwari, zvaanoita pakati pavanhu zvinotyisa. Akasandura gungwa rikava nyika yakaoma; vanhu vakayambuka rukova rwuya netsoka. Pakadaro apo ngatipemberei nokufara maari. Anotonga nesimba rake nokusingaperi ziso rake rinogara riri pamarudzi avanhu. Vapanduki ngavarege kuzvikudza. Dzepfunde Rumbidzai Mwari wedu imi marudzi avanhu, mhururu yokumurumbidza ngainzwike. Akatichengeta tiri vapenyu, haana kurega tsoka dzedu dzichitsvedzemuka. Nokuti imi, Mwari, makatiedza; makatiedza sokuedzwa kunoitwa sirivha. Makatipinza mumambure mukatipa musana unorwadza. Makaita kuti vanhu vatitsikirire zvavo musoro. Takapinda nomumoto nomumvura asi makatiunza kunzvimbo yamaguta. Ndichapinda mumba menyu nezvibayiro zvokupisa ndichiita zvandakatsidza, zvandakareva nomuromo wangu, zvandakatsidza nomuromo wangu pandaiva munhamo. Ndichapira kwamuri zvibayiro zvokupisa zvakakodzwa noutsi hwezvibayiro zvehondohwe. Ndichapira mupiro wehandira nembudzi. Dzepfunde. Uyai munzwe imi munotya Mwari ndikutaurirei zvaakandiitira. Ndakachema kwaari, ndikamurumbidza norurimi rwangu. Dai kuri kuti ndakafarira uipi mumwoyo mangu, TENZI vangadai vasina kuteerera. Asi zvechokwadi Mwari akateerera akanzwa munamato wokuchema kwangu. Mwari ngaarumbidzwe nokuti haana kuramba munamato wangu kana kurega mwoyochena wake kwandiri. Rwiyo rwokutenda kukohwa kwakanaka Mwari ngaatinzwire nyasha atikomborere apenyese uso hwake patiri. Dzepfunde Kuti nzira yenyu izivikanwe pasi. Marudzi ose avanhu azive simba renyu rokuponesa. Vanhu ngavakurumbidzei Mwari; vanhu vose ngavakurumbidzei. Marudzi ose ngaafare aimbe norufaro; nokuti munotonga vanhu noruenzaniso muchitungamirira marudzi avanhu panyika. Dzepfunde. Vanhu ngavakurumbidzei Mwari; vanhu vose ngavakurumbidzei. Nyika yakabereka mukoho wayo Mwari, Mwari wedu atikomborera. Mwari atikomborera; ngaatyiwe kusvikira kose kwakagumira nyika. Rumbo rwenyika kana yakunda Mwari ngaasimuke vavengi vake vaparadzwe. Vanomuvenga ngavatize pamberi pake. Sokuvhuvhutwa kunoitwa utsi, vatinheiwo. Sokunyongodeka kunoita namo pamoto; vakaipa ngavapararewo pamberi paMwari. Asi vakarurama ngavafare pamberi penyu; vapembere kwazvo nokufara pamberi paMwari. Ngavafarisise kwazvo norufaro. Imbirai Mwari, muimbirei muchirumbidza zita rake. Shaurai rumbo kuna iye anofamba nomumakore, zita rake ndiYahweh, pemberai nokufara pamberi pake. Mwari, munzvimbo yake inoera, ndiBaba wenherera nomudziviriri wechirikadzi. Mwari anopa vasina chavanacho musha wokugara. Anoburitsa vasungwa achivaendesa mukugarika asi vapanduki vanogara murenje. Imi Mwari pamakatungamirira vanhu venyu, pamakafamba nomurenje, Dzepfunde nyika yakandengendeka, matenga akadurura mvura nokuvapo kwenyu Mwari. Iro gomo reSinai rakandengendeka nokuvapo kwaMwari, Mwari weIsiraeri. Mwari makanaisa mvura yakawanda, makararamisa nhaka yenyu yakanga yavakuparara. Vanhu venyu vakaita musha mairi Mwari nokuda kokunaka kwenyu munowanisa varombo chokuvararamisa nacho. TENZI anongoti taurei chete vanotakura mashoko acho vakawanda. Vari kuti, “Madzimambo ehondo chaidzo anotiza, anotiza kumusha,” madzimai anenge avakutogovana zvakapambwa. Kunyange munhu ari mukati mezvipfuwo zvako mapapiro enjiva Isiraeri anenge achiiswa sirivha, mapapiro ayo achiiswa ndarama yeruvara rwemashizha manyoro. Samasimbaose paakamwararisa madzimambo, chando chakanaya paZarimoni. Gomo ravamwari, gomo reBhashani, gomo remisoro mizhinji, gomo reBhashani. Munotarisireiko neshanje imi makomo ane misoro mirefu kugomo rakasarudzwa naMwari kuti agare, TENZI paachagara nokusingaperi. Ngoro dzehondo dzaMwari igurusvusvu negurusvusvu kuwanda, mazana zvawo akazanirana. TENZI ari pakati padzo achibva kugomo reSinai achindopinda munzvimbo inoera. Makakwira gomo refu muchitungamirira nhapwa makagamuchira mutero mukati mavanhu, kunyange pakati pavanopandukira TENZI Mwari anogaramo. TENZI ngaarumbidzwe anotitakurira nhamo zuva nezuva. Mwari ndiye ruponeso rwedu. Dzepfunde Mwari wedu ndiMwari woruponeso, TENZI Mwari ndiye anonunura kurufu. Mwari achapwanya misoro yavavengi vake, musoro uchine vhudzi womunhu anorambirira mukutadza kwake. TENZI akati, “Ndichavaunza kubva kuBhashani; ndichavaudza kubva kuudzamu hwegungwa kuti mushambe tsoka dzenyu muropa, rurimi rwembwa dzenyu ruwanewo chikamu charwo chomuvengi.” Dungwerungwe renyu rinooneka, Mwari dungwerungwe raMwari wangu, mambo wangu, richienda munzvimbo inoera. Vaimbi vari mberi, vokuridza zvinoridzwa vari kokupedzisira; pakati pavo paine mhandara dzichiridza tambureni. Rumbidzai Mwari mugungano guru rumbidzai TENZI imi vedzinza rokwaIsiraeri. VokwaBhenjamini vedzinza diki ndivo vari kutungamira vakuru vakuru vokwaJudha hero zararira, vakuru vakuru vokwaZebhuroni navakuru vakuru vokwaNafutari. Kokai simba renyu Mwari ratidzai simba ramakambotishandisira, Mwari richibva kutemberi iri kuJerusaremu. Madzimambo kwavanouya nezvipo. Tsiurai chikara chinogara mukati metsanga; handira dziri mukati memarudzi achiri mhuru zvadzo kusvikira vavakuhuta vachiunza sirivha, mwararisai marudzi anofarira hondo. Nhumwa dzokwamambo dzichabva kuIjipiti Itiopia ichasimudza maoko ayo kuna Mwari. Imbirai Mwari imi nyika dzapasi imbirai muchirumbidza TENZI. Dzepfunde Vaimbire iye anofamba ari pamatenga, matenga akare. Iye anodzvova nezwi rake, izwi rake rine simba. Itii Mwari ane simba, iye anobata ushe hweIsiraeri, simba rake riri mumatenga. Mwari anotyisa ari muNzvimbo yake inoera Mwari weIsiraeri. Anopa ukuru nesimba kuvanhu vake. Mwari ngaarumbidzwe. Munhu waMwari anochemera rubatsiro Ndinunureiwo Mwari nokuti mvura yandisvika mumutsipa. Ndavakunyura mumadhaka akadzika asina pokutsika. Ndapinda mumvura yakadzika. Mafashamo emvura avakutondifukidza. Ndaneta nokuchema; ndatooma pahuro. Mumaziso angu ndatoita rima nokumirira Mwari wangu. Vanondivenga pasina mhosva, vakawanda kupinda bvudzi romusoro wangu. Vangandiparadze vane simba; vanondirwisa namanyepo. Ndinofanira here kudzorera zvandisina kuba? Mwari, imi munoziva upenzi hwangu. Mhosva dzangu dzandakapara hadzina kuvandika kwamuri. Imi Mwari wehondo nehondo, vanotarisira mamuri ngavarege kunyadziswa pamusana pangu. Imi Mwari weIsiraeri, vanokutsvakai ngavarege kushorwa nokuda kwangu. Ndinodaro nokuti ndakatirira kushorwa pamusoro penyu; ndakadonha uso nokunyara. Ndava muenzi kuhama dzangu, mutorwa zvake kune vomumba medu. Nokuti shungu nemba yenyu dzandipedza, vanokushorai vanoshora ini. Pandakazvityora nokutsanya zvakatondishoresa izvozvo. Pandakapfeka masaga ndakave chiseko chenyika kwavari. Handichabvi pamuromo pavagere pamatare uye ndave rumbo rwezvidhakwa. Asi, ini, wandinonamata ndimi TENZI. Ndipindureiwo Mwari panguva yakakodzera nemwoyochena wenyu, wakadai kuwanda nokununura kwenyu kusina chinotadzisa. Ndinunureiwo kuti ndirege kunyura mumadhaka, ndinunureiwo kumhandu dzangu uye kumvura yakadzika. Musarege mafashamo achindifukidza kana kumedzwa nemvura yakadzika gomba ngarirege kundizaririra mariri. Ndipindureiwo TENZI nokuti mwoyochena wenyu wakanaka. Netsiye dzenyu nyoro dzakawanda, tendeukirai kwandiri. Musavanze uso hwenyu kuneni muranda wenyu nokuti ndapinda nhamo; kasirai kundipindura. Swederai pedyo neni mundinunure ndidzikinureiwo kumhandu dzangu. Munoziva wani kushorwa kwangu, nokunyara kwangu nokusaremekedzwa kwangu vavengi vangu vose munovaziva. Kutukwa kwandiodza mwoyo zvokuti ndava kurasa mwoyo. Ndakatsvaka angandinzwirewo tsitsi asi pakanga pasina. Ndakatsvaka vangandinyaradze asi ndakavashaya. Vakandipa chepfu kuti ndidye; kuti ndipodze nyota vakandipa vhiniga kuti ndinwe. Zvokudya zvinenge zvaiswa pamberi pavo ngazvive riva kwavari. Zvibayiro zvavo zvamazuva makuru, ngazvive musungo kwavari. Ngavapofamadzwe maziso vatadze kuona. Ngavaite misana ine nhetemwa. Vavirukirei nokushatirwa kwenyu, hasha dzenyu dzinovira dzivashaise mazano. Pamatendhe pavo ngapaparare, matendhe avo ashaye anogara. Nokuti vanotambudza wamunenge mapa shamhu. Wamunenge makuvadza vanotomutambudza zvakatonyanya. Rambai muchingovabata nemhosva pamusoro pedzimwe mhosva, musamboti havana mhosva. Ngavapfudzwe mubhuku ravapenyu. Varege kunyorwa mukati mavakarurama. Asi ini ndiri kutambura; ndiri kurwadziwa. Ndisimudzeiwo Mwari nokuponesa kwenyu. Ndicharumbidza zita raMwari norumbo ndichamukudza nokumutenda. Izvi zvichafadza TENZI kupinda nzombe kana handira dzine nyanga namatsiko. Vari kudzvinyirirwa ngavazvione vagofara. Imi munotsvaka Mwari mwoyo yenyu ngaimuke. Nokuti Mwari anonzwa varombo uye haashori vanhu vake vanenge vari muusungwa. Denga napasi ngazvimurumbidze; ngaarumbidzwe namakungwa nazvose zvinofambamo. Mwari achanunura Zioni agovakazve maguta okwaJudha vanhu vachagaramo vachiriita ravo. Vana vavaranda vavo vachiriita ravo uye vanoda zita rake vachagaramo. Kukumbira Rubatsiro Mwari farirai kundinunura Mwari chimbidzai kundibatsira. Vanoda kundiuraya ngavanyadziswe vadumbirwe nazvo; ngavadzorwe vanyadziswe vanoda kundikuvadza. Vanondisveeredza ngavakatyamare pamusana pokunyara kwavo vanonditi tsvatu waro tsvatu waro. Vose vanokutsvakai ngavapembere nokufara mamuri. Vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “Mwari mukuru.” Asi ini ndiri murombo nomunhu asina chaanacho kurumidzai kuuya kwandiri Mwari. Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu TENZI musanonoke. Ndinopotera kwamuri TENZI musaite kuti ndinyadziswe. Sezvamakarurama kudai ndinunureiwo, ndisunungureiwo, rerekerai nzeve yenyu kwandiri mundinunure. Ivai kwandiri bako rokupotera, nhare yakasimba yokundinunura nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu. Ndinunureiwo Mwari wangu kumaoko avanhu vakaipa; kumaoko anombandika omunhu asakarurama anoutsinye. Ndimi chitarisiro changu TENZI, wandinovimba naye kubvira pauduku hwangu TENZI. Ndakatsamira pamuri kubvira pakuberekwa kwangu, ndimi makanditora munhumbu maamai vangu, ndinoramba ndichingokurumbidzai chete. Ndakava chinhu chinokahadzisa kuvazhinji asi imi ndimi botero rangu rakasimba. Kukurumbidzai hakuchabvi pamuromo pangu uye ndichaswera muswere wose ndichikupai mbiri. Musandirase kana ndakwegura musandifuratire kana ndapera simba. Nokuti vavengi vangu vanotaura nezvangu, vanotsvaka zvokundiuraya, vanorangana vachiti, “Mwari wamurasa ngatimurondei timubate, nokuti hapana anomununura.” Mwari regai kuva kure neni; Mwari wangu chimbidzai kuzondibatsira. Vanondipa mhosva ngavanyadziswe vaparadzwe. Ngavazadzwe nokushorwa nokunyadziswa vanotsvaka zvokundirwadzisa. Ndicharamba ndichingotarisira uye ndichakurumbidzai kakawanda. Muromo wangu uchataura nezvamabasa enyu akarurama uye zuva rose nezvokununura kwenyu nokuti handikwanisi kuzviverenga. Ndichauya nesimba raTENZI Mwari kuzoparidza ururami hwenyu, hwenyu imi chete. Mwari makandidzidzisa kubva pauduku hwangu, kusvikira pari zvino ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa. Saizvozvo kusvika pakukwegura kwangu napakuchena musoro, Mwari musandirase kusvikira ndaparidza simba renyu kuzvizvarwa zvose zvichauya. Simba renyu noururami hwenyu Mwari zvinosvika kumatenga-tenga chaiko. Imi makaita zvinhu zvikuru. Mwari ndiani akaita semi? Makandionesa nhamo nepfumvu dzakawanda, muchandimutsazve nokundiburitsa munzvimbo yapasi yakadzika. Muchapamhidzira ukuru hwangu muchindinyaradzazve. Ndichakurumbidzai nedimbwa ndichirumbidza kuva pachokwadi kwenyu. Mwari wangu ndichakurumbidzai nechipendani, imi mutsvene weIsiraeri. Miromo yangu ichapururudza norufaro pandinoimba ndichikurumbidzai uyewo iyeni nokundinunura kwamakaita. Rurimi rwangu ruchakurukura zuva rose nezvoururami hwenyu nokuti vaida kundikuvadza vakanyadziswa nokushorwa. Kunamatira Mambo Mwari itai kuti mambo ave neruenzaniso rwenyu uye ururami hwenyu kumwana wokumbahuru. Ngaatonge vanhu venyu noururami atonge varombo venyu noruenzaniso. Makomo ngaave nokubudirira kwavanhu, zvikomo zvive noururami. Ngaadzivirire vanhu varombo anunure vasina chavanacho. Aparadze vanodzvinyirira. Chero zuva richiri kupenya vanhu ngavakutyei uye chero mwedzi uchiri kuvheneka pazvizvarwa zvose. Ngaave semvura inonaya pauswa hwachekererwa uye semvura inonaya ichidiridza pasi. Panguva yake, ururami ngahutekeshere rugare rudzike midzi kusvikira mwedzi usisipo. Kutonga kwake ngakubve kune rimwe gungwa kusvika kune rimwe, kubva kurwizi rwaYufuretesi kusvika kwakagumira nyika. Vavengi vake ngavamugwadamire; mhandu dzake dzinanzviswe pasi. Madzimambo okuTashishi nookuzvitsuwa ngaatere mutero kwaari. Madzimambo okuShebha nokuSebha ngavauye nezvipo. Madzimambo ose ngaamugwadamire marudzi ose amushandire. Nokuti anonunura asina chaanacho kana achichema-chema, murombo naasina anomubatsira. Anonzwira tsitsi akarukutika naasina chaanacho achiponesa vasina chavanacho muupenyu. Anovanunura upenyu mukudzvinyirirwa noutsinye uye ropa ravo rakakosha kwaari. Ngaararame kwenguwa ndefu uye apiwe ndarama yeShebha. Ngaarambe achinamatirwa, ngaakumbirirwe makomborero zuva rose. Nyika ngaive nembeswa zhinji dziti nemisoro yamakomo neyaneya, michero yadzo iite seyokuRebhanoni. Maguta azare navanhu souswa hwomusango. Zita rake ngarigare nokusingaperi nembiri yake ivepo chero panenge zuva richirivhenekera. Nokuda kwake vanhu vachatoti, “Mwari wakomborera.” Marudzi achamuti, “Akakomborerwa.” TENZI ngaarumbidzwe Mwari waIsiraeri ndiye oga anoita zvinoshamisa. Zita rake ngarirumbidzwe nokusingaperi. Mbiri yake ngaizare pasi pose. Ameni Ameni. Minamato yaDhavhidhi, mwana waJese, inoperera pano. Rwiyo rwaAsafu. Chokwadi Mwari wakanaka akarurama kuna vakachena mumwoyo. Asi ini ndakapotsa ndapingirishwa, makumbo angu akanga avakutoda kutsvedza. Nokuti ndaive neshanje navanozvitutumadza pandakaona kubudirira kwavakaipa. Nokuti havana chinovarwadza, miviri yavo yakasimba kuti gwindiri. Havana nhamo dzina vamwe, havatambudziki sezvinoita vamwe vanhu. Nokudaro kuzvitutumadza ndicho chishongo chavo chomumutsipa. Kuita zvechisimba ndiyo hanzu yavo yavanopfeka. Maziso avo akatozvimba nokukora, mwoyo yavo inotutumira noupenzi. Vanonyomba nokutaura nounyengedzi, vanotyityidzira vanhu vachizvikudza vachiti vachavatonga zvakaipa. Vanotuka denga vachidzongodza nyika nezvinobva pamuromo pavo. Nezvo vanhu vanopinduka vovarumbidza vachishaya chakaipa mavari. Vanototi Mwari angazvizive sei, iye Wokumusorosoro chaangazivewo chii. Ndizvo zvakaita vakaipa izvi, vanogara vakagarikana, upfumi vachingoita matutu matutu. Ndakachengetera pasina mwoyo wangu wakachena, chandakazvichengetera maoko angu asina chaakabata chakaipa hapana. Nokuti ndinotambudzwa zuva rose uye ndinorangwa mangwanani oga oga. Dai kuri kuti ndaiti regai nditaure zvangu ndichidai. Ndingadai ndisina kuva pachokwadi kuzvizvarwa zvavana venyu. Pandakati regai ndiedze kuzvinzwisisa izvi, chakave chinhu chakaomarara kwazvo kusvika ndaenda munzvimbo yenyu inoera, ndopandakazoziva magumo avo. Zvirokwazvo munovaisa panotsvedza, munoita kuti vapinde mukuparadzwa. Vanoyerekana vaparadzwa munovatsvaira nezvinotyisa. Vanoita sechiroto munhu paunomuka. Pamunosimuka munovatora sechinhu pasina. Pandakanga ndasuruvara, ndabaiwa mwoyo, ndakanga ndazungaira ndisina chandinoziva ndakaita semhuka zvayo kwamuri. Kunyange zvakadaro zvazvo ndinoramba ndinemi nguva dzose munondibata ruoko rworudyi. Munonditungamirira namazano enyu mushure mezvo muchandigamuchira mumbiri yenyu. Ndiani wangu ari kudenga kusiya imi? Uye hapana chandinoda panyika kusiya imi. Nyama yangu nemwoyo wangu zvingakundike zvazvo asi Mwari ndiye simba rangu uye ndiye mugove wangu nokusingaperi. Nokuti vanogara kure nemi vanoparara imi munoparadza vanoita unzenza hwokusava pachokwadi nemi. Chakandinakira ini kugara padyo naMwari. Mwari ndiye wandakaita wokupotera naye kuti ndiparidze mabasa enyu ose. Munamato wokukumbira kununurwa kwenyika Mwari makatirasireiko zvachose munovirukirireiko nehasha hwai dzedanga renyu? Yeukai sangano renyu ramakazviwanira pasi chigare, ramakanunura kuti rive rudzi rwenhaka yenyu. Yeukai gomo reZioni ramakombogara. Simudzai tsoka mumbofambafamba kumatongo okugara nokugara; muvengi akaparadza zvose munzvimbo inoera. Vavengi venyu vakadzvova mukati menzvimbo yenyu yokusanganira, vakamisa mireza yavo sechiratidzo. Vaiita savanhu vanovheyesa matemo, vari kutema mujokochwa remiti namatemo. Vakapwanya mapuranga ose ane zvivezwa vakazvipwanya namatemo nenyundo. Vakapisa nomoto nzvimbo yenyu inoera vakan'oresa nzvimbo inogara zita renyu. Vakazviti nechomumwoyo tichanyatsovakurira, vakapisa munyika nzvimbo dzose dzaMwari dzokunamatira. Hatichambooni zvishamiso zvedu; hatichina muporofita. Hapana anoziva kuti zvichatora nguva yakadii. Muvengi achadada kusvikira rini nhai Mwari? Mhandu yenyu ichatsvinyira zita renyu narini here? Ko munorambireiko kutambanudza ruoko rwenyu? Munorambirei makagumbata ruoko rwenyu rworudyi. Asi Mwari Mambo wangu ndewopasichigare, ndimi munonunura mukati menyika. Makaganhura gungwa nesimba renyu mukadimbura misoro yezigaranyanya mumvura. Makapwanya misoro wengwena; makaipa sechokudya kuzvikara zvomurenje. Makatubura zvisipiti netukova, makapwisa hova dzisingapwi. Masikati ndeenyu nousiku ndohwenyu. Ndimi makaisa mavheneko nezuva. Makaisa miganho yenyika, ndimi makaisa zhizha nechirimo. TENZI rangarirai kuti muvengi anonyomba zvakadii uye kuti mapenzi avanhu anoshora sei zita renyu. Regai kuisa njiva iyi, vanhu venyu, mumaoko ezvikara musakanganwe upenyu hwavarombo venyu nokusingaperi. Itai hanya nechitenderano chenyu nokuti nzvimbo dzine rima munyika muzere misha inoshandiswa zvechisimba. Vanodzvinyirirwa ngavarege kunyadziswa. Varombo navasina chavanacho ngavarumbidze zita renyu. Simukai Mwari muzvimiririre muyeuke kukunyombai kunoita mapenzi zuva rose. Musakanganwe ruzha runoitwa navavengi venyu. Mhirizhonga yemhandu dzenyu inoramba yakasimudzirwa. Kutonga kwaMwari Tinokutendai Mwari, tinokutendai. Tinodana zita renyu tichikurukura zviito zvenyu zvinoshamisa. Panguva yakatemwa yandakasarudza ndichatonga noruenzaniso, pachazunguzika nyika navagari vayo vose. Ndini ndichachengeta mbiru dzayo dzakagadzikana. Dzepfunde. Ndinoti kuna vanozvikudza, “Musazvikudze” kuvakaipa ndinoti, “Musasimudze musoro.” Musasimudze musoro kana kuomesa musoro pakutaura. Kusimudzirwa hakubvi kumabvazuva kana kumadokero kana kubva kugwenga, asi Mwari ndiye anotonga, ndiye anodzikisa mumwe achisimudzira mumwe. Nokuti muruoko rwaTENZI mune mukombe une waini inotutuma ina masanganiswa chaiwo anoidurura vakaipa vose vapasi vagoinwa namasese ose. Asi ini ndinofara nokusingaperi ndichaparidza nokuimba ndichirumbidza Mwari waJakobho. Misoro yavakaipa achaidimbura misoro yavakarurama ichasimudzirwa. Mwari anokunda Mwari anozivikanwa maJudha, zita rake iguru muIsiraeri. Akadzika musha muJerusaremu, akazviitira pokugara muZioni. Imomo akatyora miseve yaivaima nenhoyo nebakatwa nezvombo zvehondo. Dzepfunde. Mbiri yenyu yaishamisa zvisingatauriki pamakomo ehuhombarume hwenyu. Magamba akatorerwa zvaainge apamba; akadzirara hope dzorufu, varwi vehondo vakatadza kushandisa maoko avo. Pamakangotsiura imi Mwari waJakobho, mutasvi nebhiza rake vakabva vaoma pasi kuti papata. Asi imi, munotyisa zvakanyanya, ndiani angamire pamuri kana maviruka nehasha? Imi makatonga muri kudenga nyika yakatya ikati zii kunyarara, Mwari paakasimuka kuti achitema kutonga kwake achinunura vose vanodzvanyirirwa panyika. Dzepfunde Kushatirwa kwavanhu kunozoperera mukukurumbidzai, vanenge vasara netuhasha twavo munovaunganidza zvenyu kwamuri. Tsidza hako kuna TENZI Mwari wako asi uite zvawatsidza vose vari munharaunda ngavaunze zvipo kwaari, iye anofanira kutyiwa. Anoodza mwoyo yamachinda, anotyisa madzimambo apasi. Munamato kuna Mwari ane tsitsi kana zvinhu zvaipa Ndinoridza mhere kuna Mwari, mhere kuna Mwari kuti andinzwe. Nezuva rokutambudzika kwangu ndinotsvaka TENZI. Usiku ndinosimudza maoko angu ndisinganeti, mweya wangu unoramba kunyaradzwa. Ndinofunga Mwari ndigoungudza. Ndikati rangarirei mweya wangu unobva washaya simba. Dzepfunde Usiku munoita kuti ndirare ndakasvinura ndinobva ndatambudzika zvokutotadza kutaura. Ndinombofunga nezvamazuva akare, ndinoyeuka makore enguva yakare. Ndinozvibvunzurudza mumwoyo mangu usiku, ndinorangarira ndichitsvagurudza mumweya wangu. Mwari andirasa zvachose here? Haachandifaririzve here? Mwoyochena wake wapera zvachose here? Zvaakanditsidzira zvakabva zvapera here? Mwari akakanganwa kuita tsiye nyoro here? Hasha dzake dzavhiringidza tsitsi dzake here? Dzepfunde Ini ndinoti chinhu chinondirwadza kuti kuita kwaMwari zvine simba kwasanduka. Ndinoyeuka zviito zvaMwari. Hongu ndinorangarira zviito zvenyu zvepasichigare. Ndichanyatsofungisisa mabasa enyu ose. Ndigozvibvunzurudza nezvamabasa enyu esimba. Nzira yenyu Mwari itsvene ndoupi mwari mukuru saMwari wedu? Muri Mwari anoita zvishamiso makaratidza simba renyu pakati pavanhu. Makanunura vanhu venyu nesimba roruoko rwenyu vana vokwaJakobho naJosefi. Dzepfunde. Mvura payakakuonai Mwari, mvura payakakuonai yakatya. Hongu hwenje hwakadedera. Makore akadurura mvura, matenga akatinhira, miseve yenyu yakavaima mativi ose. Kupwatika kwemheni yenyu kwakanga kuri muchamupupuri mheni dzenyu dzaipenyesa pasi nyika yakadedera ikandengendeka. Mugwagwa wenyu waipfuura nomugungwa; nzira yenyu yaipfuura nomumvura zhinji, asi tsoka dzapamakatsika hadzina kuoneka. Makatungamirira vanhu venyu sedanga rehwai vari mumaoko aMosesi naAroni. Chidziidzo chinobva kunhoroondo yavaIsiraeri Teererai vanhu vangu kune zvandinokudzidzisai, rerekerai nzeve dzenyu kumazwi omuromo wangu. Ndichazarura muromo wangu nomufananidzo ndichataura madimikira akadzama apasichigare, zvinhu zvatakanzwa zvatinoziva, zvatakaudzwa namadzitateguru edu. Hatingazvivanziri vana vavo, asi tinozvitaurira zvizvarwa zvinotevera, zviito zvaTENZI nesimba rake nezvishamiso zvaakaita. Akadzika mutemo maJakobho akatema mutemo muIsiraeri yaakati madzibaba edu adzidzise vana vavo kuitira kuti chizvarwa chinotevera chizvizive, ichocho chichazvarwa chimuke chizotaurirawo vana vacho kuti vaise chivimbo chavo muna Mwari varege kukanganwa mabasa aMwari, asi kuti vachengete mitemo yake uye kuti varege kuita samadzibaba avo vaiva tsvuuramuromo nechizvarwa chakapanduka, vaiva chizvarwa chisina kugadzana mwoyo, vakanga vasina mweya wokutendeka kuna Mwari. VokwaEfuremu vaive vakapakata miseve nouta, vakadzokera shure pazuva rehondo. Havana kuchengeta chitenderano chaMwari. Vakatoramba kutevera mutemo wake. Vakakanganwa zvaakanga aita uye zvishamiso zvaakanga avaratidza. Akaita minana pamberi pamadzitateguru avo munyika eIjipiti, mumasango okuZoani. Akaganhura gungwa akavapfuudza nomo akamisa mvura kuita murwi. Kumasikati aivatungamirira negore, usiku hwose aivatungamirira nerimi romoto. Akatsemura matombo murenje akavapa mvura yokunwa yakawanda sokunge yaibva pasi pasi chaipo. Akaburitsa tukova mudombo akaita kuti mvura iyerere sehova. Asi vakatoramba vachimutadzira vachipandukira wokumusorosoro murenje. Vakaedza Mwari mumwoyo yavo nokuramba vachingokumbira chokudya chavaipanga. Vakapopotera Mwari vachiti, “Mwari angaisire vanhu chokudya pamberi pavo murenje here? Akarova dombo wani mvura ikapozhoka, tukova tukafashukira. Angakwanise kupa chingwa here kana kupa vanhu vake nyama?” Naizvozvo TENZI paakazvinzwa akazara nehasha. Akatungidza Jakobho nemoto. Hasha dzake dzakavirukira Isiraeri nokuti vakanga vasingatendeseki naMwari, havana kuvimba nesimba rake rokununura. Zvakadaro zvazvo akataurira matenga kumusoro akazarura makonhi okudenga. Akavanaisira mana kuti vadye akavapa chingwa chokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa, akavatumira chokudya chakawanda. Akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute kumatenga. Akatungamirira nesimba mhepo yokumaodzanyemba. Akanaisa pavari nyama sohuruva, shiri dzina mapapiro sejecha ramakungwa. Akadzidonhesa pakati pamatendhe avo munharaunda yose yapavaigara. Vakadya vakanyatsoguta nokuti akavapa zvavaipanga. Asi havi yavo isati yambopera, chokudya chichiri mukanwa mavo, Mwari akavavirukira nehasha akauraya vakanyatsosimba vacho akarizha majaya akasvika eIsiraeri. Zvakadaro zvazvo vakangoramba vachitadza chete, kunyange nezvishamiso zvake havana kuvimba naye. Nezvo akanyangarisa mazuva avo sefemo, akanyangarisawo makore avo nepfumvu nechimbichimbi. Paakavauraya vakamutsvaka vakatendeuka vakatsvakisisa Mwari. Vakayeuka kuti Mwari ndiye dombo ravo uye kuti Mwari Wokumusorosoro ndiye mununuri wavo. Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo vakamurevera nhema norurimi rwavo. Vakanga vasiri pachokwadi naye, havana kuita zviri pachokwadi nechitenderano chake. Asi iye netsiyenyoro dzake akavaregerera uipi hwavo akarega kuvaparadza, akadzora hasha dzake kazhinji, akarega kuviruka nehasha dzake dzose. Akayeuka kuti vanongova nyama, mhepo zvayo inopfuura isingazodzokizve. Kanganiko kavakamupandukira murenje vakamushatirisa mugwenga. Vakamuedza kakawanda vakadenha Mutsvene waIsiraeri. Havana kurangarira simba rake kana kurangarira zuva raakavanunura kumuvengi paakaita zvishamiso zvake muIjipiti paakaita minana yake mumasango ekuZoani. Akasandura hova dzikava ropa zvokuti havana kukwanisa kunwa mutukova twavo. Akavatumira bute renhunzi dzakavadya namatafi akavaparadza. Akapa mbeswa dzavo kumakonye uye muchero wamabasa avo kumhashu. Akaparadza migirepisi yavo nechimvuramahwe uye mionde yavo nechando. Akarova mombe dzavo nechimvuramahwe uye hwai akadzirova nemheni. Akavavirukira kwazvo nehasha akavashatirirwa akavatsamwira zvikuru akavapa nhamo idzi dzaiva nhumwa dzake dzokuparadza. Akavaputikira nehasha, haana kurega kuvauraya, akavaparadza upenyu nedenda. Akauraya matangwe ose muIjipiti, vana vokutanga vesimba ravo mumatumba okwaHamu. Iye akatungamirira vanhu vake sehwai akavatungamirira murenje sedanga. Akavatungamirira zvisina njodzi zvokuti havana kutya asi gungwa rakafusira vavengi vavo. Akavaunza kunyika yake inoera kugomo rake raakawana nesimba reruoko rwake rworudyi. Akafanovatandira marudzi, akavakamuranisa migove yavo, akagarisa vaIsiraeri mumatendhe avo. Vakaedza Mwari Wokumusorosoro, vakamupandukira uye havana kuchengeta mitemo yake. Asi vakatotsauka vakaiita zvisina kutendeka samadzibaba avo; vakamonyoroka souta husina kutsarukana. Nokuti vakamushatirisa nenzvimbo dzavo dzokunamatira dzakatunhumara; vakaita kuti aite shanje nokuda kwezvifananidzo zvavo zvokunamata. Mwari paakazvinzwa akazara nehasha, akabva aramwa Isiraeri chaizvo. Akafuratira nzvimbo yake yaaigara kuShiro, dumba raaigara pakati pavanhu. Akaisa simba rake, paArika yechitenderano, kuutapwa, akaisa mbiri yake mumaoko omuvengi. Akapinza vanhu vake mukuuraiwa nebakatwa rehondo akavirukira nhaka yake nehasha. Majaya avo akavaroromesa nemoto, mhandara dzavo dzakashaya rumbo rwomuchato. Vapristi vavo vakauraiwa namapakatwa chirikadzi dzavo hadzina kuvachema. TENZI akaita seari kupepuka muhope segamba rakundwa newaini. Akagarisa vavengi vake pasi, akavanyadzisa zvinogara zvakadaro. Akaramba vemba yokwaJosefi. Akarega kusarudza vedzinza rokwaEfuremu, asi paakasarudza vedzinza rokwaJudha veGomo reZioni raanoda, akavaka ipapo nzvimbo yake inoera, nhunga makore chaiyo ikaita senyika yaakadzika pasichigare. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake akamutora kumatanga ehwai. Akamubvisa mukufudza nhunzvi dzaiva navana, kuti ave mufudzi wevokwaJakobho vanhu vake Isiraeri, nhaka yake. Akavafudza nemwoyo uri pachokwadi akavatungamirira nouchenjeri. Nyika inochemera Mwari kununurwa Mwari vanhu vechirudzi vakapinda munhaka yenyu vakan'oresa Temberi yenyu inoera vakaita Jerusaremu dongo. Vakapa zvitunha zvavaranda venyu kushiri dzedenga kuti dzidye zvadzo uye nyama yavarurami venyu kuzvikara zvenyika. Vakadeura ropa ravo semvura munharaunda yeJerusaremu, asi pakanga pasina wokuvaviga. Tinoshorwa navavakidzani nesu, tinonyombwa nokusekwa navakatipoteredza. Kusvikira riniko nhai TENZI? Muchashatirwa kusvikira nokusingaperi here? Shanje yenyu ichanganduma somoto here? Virukirai vechirudzi nehasha, vasingakuzivei uye umambo husingadaidzi zita renyu nokuti vakazhanya vokwaJakobho vakaparadza musha wavo. Musatiyeukirewo zvitadzo zvedu zvakare. Tsitsi dzenyu ngadziuye nokukurumidza dzitichingurewo nokuti tasakara zvikuru. Tibatsireiwo Mwari mununuri wedu kuitira mbiri yezita renyu. Tinunurei mutiregererewo zvitadzo zvedu kuitira zita renyu. Vechirudzi vangarambireiko vachiti, “Mwari wavo aripi.” Ratidzai vechirudzi isu tichizviona kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rinenge radeurwa. Kugomera kwomusungwa wenyu ngakusvike kwamuri, imi muchengetedze vakatongerwa kufa. Tsividzai kakapetwa kanomwe vatakavakidzana navo zvavakakushorai nazvo imi TENZI. Ipapo isu vanhu venyu, hwai dzedanga renyu tichakutendai nokusingaperi pazvizvarwa nezvizvarwa, tichakurukura mbiri yenyu. Munamato wokukumbirira nyika kuti idzorerwe kune zvayakanga yakaita. Teererai imi mufudzi weIsiraeri imi munotungamirira vokwaJosefi sedanga rehwai, imi mune chigaro chenyu choumambo pamaKerubhi, bwinyai kune vokwaEfuremu novokwaBhenjamini nokune vokwaManase. Kokai simba renyu muuye kuzotinunura. Tiiteiwo zvatakanga takaita kare, Mwari, chiso chenyu ngachipenye kuti tiponeswe. TENZI wehondo nehondo, kusvikira rinhiko makashatirwa neminamato yavanhu venyu. Kuchema ndiko kwava chokudya chavo, makavapa misodzi kuti vanwe zvokutogondwa. Munoita kuti vavakidzani vatirwirane vavengi vedu vachitotiseka pakati pavo. Tiiteiwo zvatakanga takaita kare Mwari wehondo nehondo. Chiso chenyu ngachipenye kuti tiponeswe. Makauya nomugirepisi kubva kuIjipiti mukadzinga vechirudzi mukausima. Makaugoborera ukadzika midzi yawo ukazadza nyika. Makomo akafukidzwa nomumvuri wawo nemiti yomusidhari yakafukidzwa namapazi awo. Mapazi awo akatandavara kusvika kugungwa uye mabukira awo akasvika kurwizi rweYufuretesi. Ko zvino makagopazireiko tsvingo dzayo zvokuti vose vanopfuurawo zvavo nenzira vanotanha michero yawo. Nguruve yomusango inoutsika-tsika zvayo, zvose zvinofamba musango zvinoudya. Dzokaizve Mwari wehondo nehondo mutarire muri kudenga muone zvenyu, ivai nehanya nomugirepisi uyu. Nzvanzvana yomugirepisi yamakadyara nesimba roruoko rwenyu rworudyi dungira ramakaita kuti rive renyu. Vakaupisa nomoto; vakautema, ngavaparare nokungoona uso hwenyu hunotsiura hoga. Simba roruoko rwenyu ngarive pamusoro pomunhu ari kurudyi rwenyu Mwanakomana womunhu wamakazvisimbisira pachenyu. Ipapo hatizombofa takakufuratirai, tipeiwo upenyu isu tinodaidza zita renyu. Tiiteiwo zvatakanga takaita kare TENZI Mwari wehondo nehondo. Uso hwenyu ngaupenye mutiponese. Rumbo rwezuva guru Imbirai Mwari wedu nesimba, iye simba redu, pururudzirai Mwari waJakobho norufaro. Shaurai rumbo muridze tambureni, muridze chipendani nedimbwa zvinakidze. Ridzai hwamanda pakugara kwomwedzi, pajena guru romwedzi, pazuva redu guru, nokuti murawo weIsiraeri, chirevo chaMwari waJakobho. Akatemera mutemo muna Josefi paakaenda kundorwisa Ijipiti ndakanzwa izwi randisati ndambonzwa, “Ndakakurerutsira mutoro pamafudzi ako ndikaregesa maoko ako kubata tswanda. Pakutambudzika kwako wakadanidzira ndikakununura. Ndakakupindura ndiri pakavanda ndiri makavanda mumheni. Ndakakuedza pamvura iya yokuMeribha.” Dzepfunde. “Teererai munzwe vanhu vangu ndichikuyambirai. Dai mukanditeererawo zvenyu, imi vaIsiraeri. Hapafaniri kuva navamwari vasiriivo pakati penyu. Hamufaniri kupfugamira mwari asingazivikanwi. Ndini TENZI Mwari wako akakuburitsa munyika yeIjipiti, shamisisa muromo wako ndiuzadze. “Asi vanhu vangu havana kunditeerera, Isiraeri yakanga isinei neni. Saka ndakavarega vachiomesa musoro kuti vaite zvavanoda. Dai vanhu vachingonditeerera zvavo, vaIsiraeri vachitevera nzira dzangu. Ndaikurumidza kuti vavengi vavo vatevere muteto ndichirwisana nemhandu dzavo. Vanovenga TENZI vaitohuta pamberi pake, chirango chavo chaibva chaita firapo. Ndaikupai koroni yakanakisisa kuti mudye uye ndaikugutsai nouchi hwomudombo.” Mwari ndiye Mutongi mukuru Mwari agara pachigaro chake chokutonga, mudare rake, achitonga pakati pavamwari. “Muchatonga zvisina ruenzaniso kusvikira rinhiko muchirerekera kuvakaipa?” Dzepfunde “Miririrai varombo nenherera, itai zvine ruenzaniso kunavatamburi navasina chavanacho. Nunurai varombo navasina chokubata vanunurei mumaoko mavakaipa. “Havana ruzivo kana runzwisiso, vanofamba murima ugaro hwose hwenyika huri kuzunguzika. Ndinokutii zvangu vamwari vana voWokumusorosoro, mose zvenyu asi muchangofa savanhu muchaputsikawo sezvinongoita mumwe wamachinda.” Simukai Mwari mutonge nyika ndimi muridzi wamarudzi ose. Kukumbira Mwari kuti vavengi veIsiraeri vakundwe Mwari regai kunyarara, regai kungoti zii-i kudaro, Mwari kana kuramba makangoti zirikiti kunyarara. Tarisai muone kuti vavengi venyu vari kuita bongozozo, vanokuvengai vari kusimudza musoro. Vanoita mazano omuchivande, okurwisa vanhu venyu, vanorangana pachavo vanhu vamunochengetedza. Vanoti, “Ngativatsvairei rudzi rwose, zita reIsiraeri rirege kuzomboyeukwazve.” Vanobva vaita rimwe, kubatana kwazvo vachiita chitsidzirano chokurwisa imi pamwechete nevemba yokwaEdhomu nevemba yokwaIshimaeri nevekwaMoabhu nevokwaHagari nevekwaGebhari, nevekwaAmoni nevekwaAmareki, nevechiFirisitia navagari vokuTire. VaAsiria vabatanawo navo ndivo vabatsiri vakuru nevokwaRoti. Dzepfunde. Vaitei sezvamakaita vaMidhia kana zvamakaita Sisera naJabhini kurwizi rweKishoni. Vakaparadzwa kuEndori, vakave mupfudze wevhu. Itai kumakurukota avo sezvamakaita kuna Orebhu naZeebhu; machinda avo ose sezvakaita Zebha naZarimuna vakati, “Ngatizvitorerei zvedu mafuro aMwari.” Mwari wangu vaitei sohuruva yechamupupuri sehundi inopupurutswa nemhepo. Sokupisa kunoita moto sango sezvinoita rimi rinoririmisa makomo, saizvozvo varondei nedutu renyu muvatyisidzire nemhepo ine simba. Vadonhedzei uso nenyadzi kuti vatsvake zita renyu TENZI. Ngavanyadziswe vanyare nokusingaperi ngavaparadzwe zvinonyadzisa. Ngavazive kuti imi moga, mune zita rokuti Yahweh ndimi Mukurukuru pasi pose. Kusuwira Temberi yaMwari Hakusi kunaka ikoko kwakaita nzvimbo yenyu yamunogara imi TENZI wehondo nehondo. Ndinobva ndatorwa mwoyo chaizvo, ndinodisisa kwazvo mipanda yaTENZI mwoyo wangu nenyama yangu zvinoimbira Mwari mupenyu norufaro. Kunyange nzvidya inowanawo pokugara, kashiri kachizvivakira dendere rako pakanogona kukandirira vana vako kuatari dzenyu imi TENZI wehondo nehondo mambo wangu naMwari wangu. Vakakomborerwa zvavo vanogara mumba menyu vachikurumbidzai. Dzepfunde. Vakakomborerwa zvavo vanowana simba mamuri; vanodisisa migwagwa mikuru inoenda kuguta reZioni. Pavanopfuura nomubani reBhaka vanoriita nzvimbo ine zvisipiti, mvura yemunhuruka inorizadza namadziva. Vanoramba vachingosimba Mwari wavamwari achaonekwa muZioni. TENZI wehondo nehondo inzwai munamato wangu. Teererai imi Mwari waJakobho. Dzepfunde Tarisai muone Mwari nhoo yedu tarirai uso hwomuzodzwa wenyu. Nokuti zuva rimwechete mumipanda yenyu riri nani pane churu chawo kumwe. Zviri nani zvangu kuva muchengeti wapamusuo mumba maMwari wangu panokugara mumatendhe avakaipa. Nokuti Mwari izuva nenhoo, anoitira munhu mwoyochena uye anovasimudzira. TENZI hapana chaanonyima munhu anofamba pachokwadi. TENZI wehondo nehondo, akakomborerwa zvake munhu anovimba nemi. Kunamatira nyika kuti ive norugare noruenzaniso Mwari makafadzwa nenyika yenyu, makadzorera vokwaJakobho zvavakangavari. Makaregerera vanhu venyu uipi hwavo mukavakanganwira zvivi zvavo zvose. Dzepfunde Makazvipodza kuhasha dzenyu dzose mukazvidzora pakushatirwa kwenyu kwakanyanya. Tiiteiwo zvatanga takaita kare, Mwari mununuri wedu chiregai kuva nehasha nesu. Mucharamba makatishatirirwa narini here? Mucharebesa hasha dzenyu kuzvizvarwa zvose here? Hamuchatimutsiridzazve here kuti vanhu venyu vafare nemi? Tiitireiwo mwoyochena, TENZI mutiponesewo. Ndichanzwa zvichataurwa naTENZI Mwari nokuti achataura zvorugare kuvanhu vake, kuna vatsvene vake. Dai vakangorega zvavo kupindukira kuupenzi. Hongu ruponeso rwake rwuri padyo kuna vanomutya; mbiri yokuvapo kwake ichagara munyika medu. Mwoyochena nokutendeka zvichasangana, ururami norugare zvichambundirana. Kutendeka kuchakura kuchibva pasi; ururami huchatarisa pasi huri kudenga. TENZI achapawo zvakanaka; nyika yedu ichaberekawo zvakawanda. Ururami huchatungamira pamberi pake huchimugadzirira paanozofamba napo. Munamato waDhavhidhi. Rerekerai nzeve yenyu TENZI mundipindurewo, nokuti ndiri murombo uye handina chokubata. Ndichengetedzeiwo nokuti ndiri munamati wenyu. Ndinunureiwo ini muranda wenyu anovimba nemi, ndimi Mwari wangu. Ndinzwireiwo ngoni TENZI, nokuti ndinochema kwamuri zuva rose. Ndinyevenutseiwo mwoyo ini muranda wenyu, nokuti ndinochema kwamuri, TENZI nokuti imi, TENZI, makanaka uye munoregerera, munoitira mwoyochena vakawanda kuna vanodana kwamuri. Rerekerai nzeve yenyu TENZI kumunamato wangu inzwaiwo chichemo changu. Pazuva rokutambudzika kwangu ndinodanidzira kwamuri nokuti imi munondipindura. Hapana akaita semi, TENZI pakati pavamwari, kana mabasa akaita seenyu. Marudzi ose amakasika achauya achizokugwadamirai TENZI achirumbidza zita renyu; nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinoshamisa, imi moga ndimi Mwari. Ndidzidziseiwo nzira dzenyu TENZI kuti ndifambe muchokwadi chenyu; ndipeiwo mwoyo mumwechete pakutya zita renyu. Ndinokutendai TENZI Mwari wangu nomwoyo wangu wose uye ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi nokuti mwoyochena wenyu kwandiri wakawanda; makandinunura pasi pasi munzvimbo yavakafa. Vanhu vanozvikudza vandimukira Mwari, chikwata chamadzenga chinoda kundiuraya havana hanya nemi. Asi imi TENZI muri Mwari ane tsitsi, ane mwoyo wakanaka. Mune mwoyo murefu; mune mwoyochena wakawanda uye makatendeka. Tendeukirai kwandiri mundinzwirewo ngoni. Ndisimbaradzeiwo ini muranda wenyu. Mundinunurewo ini mwana womurandakadzi wenyu. Ndiitireiwo chinoratidza kuti munofadzwa neni kuitira kuti vanondivenga vazvione vanyadziswe, nokuti imi TENZI munondibatsira nokundinyaradza. Jerusaremu amai venyika dzapasi pose Pagomo rinoera ndipo pane guta rakavakwa naMwari. Mwari anoda guta reZioni kupinda dzimwe nzvimbo dzose dzomaJakobho. Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari. Dzepfunde. Ndingagone kudoma veRahabhu neveBhabhironi kwoti veFirisitia neveTire nevekuItiopia pakati pavanondiziva zvichatonzi, “Uyu newoyo akaberekwa imomo.” Kana zviri zveguta reZioni, zvingatonzi, “Nyika iyi neyoyo yakaberekwa imomo,” uye kuti Wokumusorosoro achaita kuti rimire. TENZI anonyora mubhuku ravanhu achitoti nyika iyi neiyi yakaberekwa imomo. Dzepfunde. Vaimbi uyewo vatambi vose vanoti, “Takatubuka mauri.” Kukumbira rubatsiro munhamo TENZI Mwari wangu, muponesi wangu ndinochema kwamuri siku nesikati. Gamuchiraiwo munamato wangu teererai kuchema kwangu nokuti ndiri kutambura zvikuru ndavakutosvika kunzvimbo yavakafa. Ndavakutoverengerwa pakati paavo vanodzika kunzvimbo yavakafa. Ndiri murume asisina simba somunhu akaraswa pakati pezvitunha savakafa varere muguva; savaya vamusisayeuki zvenyu nokuti havachisiri mumaoko menyu. Makandiradzika mugomba rakadzika munzvimbo yerima pasi pasi. Kunditsamwira kwenyu kunondiremera munonditsimbirira namasaisai enyu. Dzepfunde. Munoita kuti vamwe vangu vandiseme muchiita kuti ndive chinhu chinosemesa kwavari. Makandizaririra zvokuti handikwanisi kupunyuka. Ziso rangu rava kuonera madzerere pamusana pokutambura. Ndinodana kwamuri mazuva ose TENZI ndakasimudza maoko angu kwamuri. Munoda kuitira zvishamiso vakafa here? Ko ivo vava zvimuvhuri-vhuri vangamuke kuzokurumbidzai here? Dzepfunde Mwoyochena wenyu unoparidzwa muguva here kana kutendeka kwenyu munzvimbo yokuparadzwa? Zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima here kana ururami hwenyu munzvimbo yavasina chavanoyeuka? Asi ini ndinochema kwamuri TENZI; mangwanani munamato wangu unosvika pamberi penyu. Nhai TENZI munondirasireikowo munondivanzireiko chiso chenyu? Ndinotambura zvokunge ndichafa kubva pauduku hwangu. Ndinorwadziwa ini nezvamunoita zvinotyisa zvandishaisa zano. Hasha dzenyu dzandimomotera; kundivhundutsira kwenyu kunondiparadza. Zvinondikomba samapopopo emvura zuva rose; zvinondimomotera pamwechete. Makaita kuti vanondida neshamwari dzangu vandiseme rima ndiro rava shamwari yangu. Rumbo rwenyika kana yapinda nhamo Ndichaimba ndichirumbidza mwoyochena wenyu nokusingaperi, TENZI, nomuromo wangu ndichaparidza kutendeka kwenyu kwezvizvarwa zvose. Nokuti mwoyochena wenyu uripo nokusingaperi. Kutendeka kwenyu kwakasimba samatenga. Makati: “Ndakaita chitenderano changu newandakasarudza. Ndakatsidza kuna Dhavhidhi muranda wangu ndichiti, ‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zvivepo nokusingaperi ndigosimbisa chigaro chako choumambo pazvizvarwa zvose.’ ” Dzepfunde. Matenga anorumbidza zvinoshamisa zvenyu TENZI uye kutendeka kwenyu mugungano ravakarurama. Ndiani mudenga'mu angaenzaniswe nemi TENZI? Ndiani pakati pavana vamwari angaenzaniswe naTENZI, Mwari anodederesa kune ungano yavatsvene. TENZI Mwari wehondo nehondo ndiani ane simba semi, TENZI nokutendeka kwenyu uku muna zvose. Imi munotonga kusimuka kwamasaisai, kana osimuka munoanyaradza. Imi makapwanya Rahabhu sechitunha, makaparadza mhandu dzenyu nesimba roruoko rwenyu. Denga nderenyu pasiwo ndepenyu, nyika nazvose zvirimo, ndimi makazvisika. Kuchamhembe nokumaodzanyemba ndimi makakusika. Gomo reTabhori nereHeremoni anokurumbidzai norufaro. Muno ruoko rune simba chanza chenyu chakasimba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa pamusoro. Ururami noruenzaniso ndihwo hwaro hwechigaro chenyu chokutonga munotungamidza mwoyochena nokutendeka. Vakakomborerwa zvavo vanoziva kupururudza vachifara, vanofamba muchiedza chokuvapo kwenyu TENZI, vanofara nezita renyu zuva rose uye vanorumbidza ururami hwenyu. Ndimi simba ravanoinzva naro; inyasha dzenyu kuti simba redu ribudirire. Nhowo yedu iri mumaoko aTENZI, mambo wedu ari mumaoko omutsvene waIsiraeri. Makazotaura ipapo muchioneso kune munhu wenyu wakatendeka muchiti, “Ndakapa rubatsiro rwangu kugamba, ndakasimudzira pamusoro mumwe wandakasarudza muvanhu. Wandakawana wacho ndiDhavhidhi, muranda wangu. Ndakamuzodza namafuta angu anoera, zvokuti simba rechanza changu richagara maari, simba roruoko rwangu richamusimbisa. Hapana muvengi achamukunda, vakaipa havachazomukurira. Ndichafanopwanya mhandu dzake ndichiuraya vanomuvenga. “Ndichatendeka kwaari uye ndichamuitira mwoyochena, pamusana pezita rangu simba rake richabudirira. Ndichaisa gungwa mumaoko ake uye nzizi dzichava muchanza chake chorudyi. Achandidana kuti, ‘Imi baba vangu. Mwari wangu nedombo rangu randinopona naro.’ Ndichamuita dangwe rangu nomukuru wamadzimambo apasi. “Ndicharamba ndiine mwoyochena kwaari nokusingaperi. Chitenderano changu naye chicharamba chakasimba. Ndichaita kuti vedzinza rake, vokutonga, varambe varipo uye chigaro chake choushe chirambe chiripo sedenga. “Kana vana vake vakakanda pasi mutemo wangu vakarega kutevera zvandinoronga, Kana kuti vakarega kuchengeta zvirevo zvangu, uye vakatyora mirao yangu, ndichavarangira chitadzo chavo neshamhu uye uipi hwavo netsarapu. Asi handiregi kuva nemwoyochena kana kusava ndakatendeka kwavari. Handimbotyora chitenderano changu kana kusandura zvandakataura. “Ndakapika noutsvene hwangu chakamwe pasina zvokurevera Dhavhidhi nhema. Ndichaita kuti vedzinza rake vokutonga varambe varipo uye chigaro chake choushe chirambe chiripo chero zuva richiri kuvheneka pamberi pangu. Chichavapo semwedzi nokusingaperi mboo yakatendeka iri mudenga.” Dzepfunde. Asi imi makasiya muzodzwa wenyu mukamuramba uye makamushatirirwa. Makaramwa chitenderano chenyu nomuranda wenyu makaumburudza ngundu yamambo muvhu. Makapaza tsvingo dzake dzose makaparadza nhare dzake dzokuzvidzivirira nadzo muhondo kusara ava matongo. Vose vanopfuura napaari vanopamba zvinhu zvake. Ava chiseko chavavakidzani vake. Makaratidza kuti vavengi vake vakunda nokusimudza ruoko rwavo rworudyi; mukaita kuti mhandu dzake dzifare. Makamininutsa bakatwa rake mukaita kuti akurirwe muhondo. Makamutorera mumaoko tsvimbo yake youmambo; makaputsira pasi chigaro chake choumambo. Makamuchembedza nokukasira, makamuzadza nenyadzi. Dzepfunde Kusvikira rinhiko nhai TENZI? Mucharamba makazvivanza nokusingaperi here? Kusvika riniko hasha dzenyu dzichiviruka somoto kudai? Yeukai kupfupika kwakaita upenyu hwangu chamakasikira munhu unobva wachishaya. Ndiani angararame asingazosvika pakufa. Ndiani angazviponese kusimba renzvimbo yavakafa. Dzepfunde. Nhai, TENZI, ko mwoyochena wenyu uya wakare uripi wamakambotsidza kuna Dhavhidhi pamusana pokutendeka kwenyu? Rangarirai TENZI kushorwa kunoitwa muranda wenyu nokutakura kwandinoita mumwoyo mangu kushorwa ikoko kunobva kuvanhu vakawanda kuchiitwa nemhandu dzenyu TENZI dzichishora muzodzwa wenyu pose paanofamba. TENZI ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni, Ameni. TENZI ndimi manga muri musha wedu pazvizvarwa zvose. Makomo asati aberekwa musati masika nyika napasi pose. Muri Mwari narini narini, chingo nechingo. Munopindura munhu kuva huruva munongoti vanhu, “Dzokerai kune zvamakanga muri.” Nokuti churu chamakore kwamuri chakangoita sazuro kana chapfuura kana sakanguvana kokugaririra usiku. Munotsvaira vanhu, vakaita sechiroto, vakaita souswa hunosvibirira mangwanani. Kumangwanani hunomuka hwakasvibirira kumanheru hunouna hwosvava. Nokuti hasha dzenyu dzinotiparadza. Tinobva taparara nokutya kushatirwa kwenyu. Munoisa uipi hwedu pamberi penyu uye zvitadzo zvedu zvapachivande munozviisa pachena pauso hwenyu. Mazuva edu ose anopfuura imi makashatirwa; makore edu anopera sefemo. Makore oupenyu hwedu makumi manomwe kune vakasimba vanoita makumi masere asi akanaka acho inongova nhamo namatambudziko, haatani kupera, isuwo tobva tobhururuka toenda. Ndiani anoziva panosvika hasha dzenyu. Hasha dzenyu dzakangoenzana nokutyisa kwenyu saka tidzidziseiwo kuverenga mazuva edu kuti tingwarire. Muchasvika kupiko nhai TENZI? Dzokai zvenyu muitire varanda venyu ngoni. Tiratidzeiwo mwoyochena wenyu mangwanani kuti tipembere kufara uye tifare mazuva edu ose. Tipeiwo kufara kwamazuva akaenzana namazuva amakatirwadzisa uye kwamakore atakaona nhamo. Ratidzai mabasa enyu kuvaranda venyu uye mbiri yenyu kuvana vavo. Nyasha dzatenzi Mwari wedu ngadzive patiri. Basa ramaoko edu muite kuti ribudirire. Hongu ngaribudirire basa ramaoko edu. Munhu anogara mudumba roWokumusorosoro, anogara mumumvuri waSamasimbaose, anogona kuti kuna TENZI, “Ndimi diziro rangu nhare.” Nokuti achakununura kumunhu anokuteya zvakaipa uye kudenda rinoparadza. Achakufukidza neminhenga yake uchiwana pokuhwanda mumapapiro ake. Kutendeka kwake inhowo yakatenderedza. Zvinotyisa zvousiku hauzozvitya kana museve unokandwa masikati. Kana mharadzi dzinofamba murima, nyange zvinoparadza masikati machena. Kurutivi rwako kungawire zvako churu kurudyi kwako kugowira gumi rezviuru asi iwe hapana chinokusvika. Uchangozvitarisawo nameso kuti uone mubayiro wavakaipa. Nokuti unenge wati TENZI ndiye mudziviriri wangu waita musha wako muna Wokumusorosoro. Hapana chakaipa chinokuwira kana denda rinosvikawo pamusha pako. Nokuti achapa vatumwa vake basa rokukuchengeta panzira dzako dzose. Vachakubata mumaoko kuti urege kugumbura tsoka yako pabwe. Uchatsika zvako pamusoro peshumba nechiva. Shumba, ino chaiyo, yechidiki nenyoka, uchazvitsika-tsika pasi petsoka dzako. Pamusana pokuti anoita chiname neni ndichamununura norudo. Ndichamudzivirira nokuti anoziva zita rangu. Akadana kwandiri ndichamupindura; ndichava naye munhamo; ndichamununura ndichimuremekedza. Ndichamugutsa noupenyu hurefu ndigoita kuti aone ruponeso rwangu. Rumbo rwomururami rwokurumbidza Chinhu chakanaka kurumbidza TENZI uye kuimba tichirumbidza zita renyu imi Wokumusorosoro. Kuparidza mwoyochena wenyu mangwanani uye kutendeka kwenyu usiku nembira nedimbwa nechipendani. Nokuti imi TENZI makaita kuti ndifare nebasa renyu. Ndinopururudzira basa ramaoko enyu norufaro. Hakusi kukura ikoko kwakaita mabasa enyu TENZI. Pfungwa dzenyu dzakadzama zvikuru. Munhu akapata haangazvizivi. Dununu haringazvizivi izvi zvokuti kunyange zvazvo vakaipa vangatutumuke kukura souswa uye kuti vaiti vezvakaipa vangabudirire zvavo, chavo kuparadzwa nokusingaperi. Asi imi TENZI muri wopamusorosoro nokusingaperi. Nokuti tarisai muone mhandu dzenyu TENZI tarisai muone kuti mhandu dzenyu dzichaparara vaiti vezvakaipa vachamwarariswa. Asi imi makandisimbaradza senyanga yenyati, makandizodza namafuta mutsva. Ndakaona namaziso angu kuputsika kwavavengi vangu ndakanzwawo nenzeve dzangu kuparara kwavakaipa vanondirwisa. Vakarurama vanobudirira sokukura kunoita murara uye vanokura somusidhari wokuRebhanoni. Vanosimwa muimba yaTENZI, vanobudirira mumipanda yaMwari wedu. Vanobereka michero ivo vakwegura zvavo, vanoramba vari vanyoro vakasvibira kuratidza kuti TENZI ari pachokwadi ndiye dombo rangu maari hamuna chakaipa. TENZI anotonga akapfeka ukuru-ukuru, TENZI akapfeka akasunga simba muchiuno. Nyika yakanyatsoti dzii kumira, haimbofa yakazunguzwa. Chigaro chenyu choushe chakamiswa kubvira pasichigare. Imi makanga muripo kubvira chingo nechingo. Mapopopo anosimuka TENZI, mapopopo anoita ruzha; mapopo anotinhira. TENZI ane simba kukunda kutinhira kwemvura zhinji ane simba kupfuura masaisai egungwa, TENZI ari kumusoro ane simba. Zvamunotema ipfirapo imba yenyu TENZI, chayo utsvene nokusingaperi. TENZI muri Mwari anotsiva, imi Mwari anotsiva, zviratidzei. Simukai imi mutongi wapasi mupe vanozvikudza zvavanokodzerana nazvo. Nhai TENZI ko ivo vakaipa vachasvikira riniko kusvikira rini vakaipa vachizvitutumadza. Vanorutsa kutaura mashoko okuzvikudza. Vaiti vezvakaipa vose vanozvitutumadza. Vanopwanya vanhu venyu TENZI vanorwadzisa nhaka yenyu. Vanoponda kuuraya chirikadzi nomutorwa vachiuraya zvavo nherera. Vanoti TENZI haazvioni Mwari waJakobho haatarisi. Nzwisisaiwo imi matununu avanhu imi mapenzi muchangwara rinhiko? Ko iye akaita nzeve haakwanisi kunzwa here? Iye akaumba ziso angatadze kuona here? Iye anoranga marudzi haarangi here, iye anodzidzisa vanhu ruzivo? TENZI anoziva pfungwa dzavanhu kuti dzinongova femo zvaro. Akakomborerwa zvake munhu wamunoranga TENZI, wamunodzidzisa nemitemo yenyu. Kumupa zororo panguva yepfumvu kusvikira guva rachererwa vakaipa. Nokuti TENZI haafuratiri vanhu vake haangarasi nhaka yake. Ruenzaniso runodzokerazve mukutonga kunoitwa, vose vari pachokwadi vanozvitevedza. Ndiani zvake akambosimuka kuti andirwire kuna vakaipa? Ndiani angandimiririrewo kurwisa vaiti vezvakaipa? Dai ndisina kutozobatsirwawo zvangu naTENZI ndingadai ndavakutogara kunyika yorunyararo. Pandaifunga kuti ndavakutsvedza, makandisimbisa nemwoyochena wenyu. Kana zvinondinetsa mumwoyo mangu zvawanda kundinyaradza kwenyu kunondifaranutsa. Mungaite ushamwari navatongi vakaipa here vanoita kuti zvisina ruenzaniso zvive zviri pamutemo? Vanoita chirwirangwe kurwisa mururami vachipa mururami asina mhosva yokuti auraiwe. Asi TENZI ndiye akava nzvimbo yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo uye Mwari wangu akava nhare yangu. Achavadzorera uipi hwavo achavatsvaira pamusana pokusarurama kwavo TENZI Mwari wedu achavatsvaira. Uyai tiimbe tichirumbidza TENZI. Ngatipururudzirei nomufaro dombo ratinopona naro. Ngatiuyei paari tichimutenda ngatimupururudzirei tichimurumbidza nedzimbo. Nokuti TENZI ndiMwari mukuru, uye ndiMambo mukuru ari pamusoro pavanamwari vose. Pasi pakadzamisisa pari mumaoko ake, kunyange nhungamakore dzamakomo ndedzake. Gungwa nderake nokuti ndiye akarisika uye nyika yakaoma, nokuti maoko ake ndiwo akaiumba. Uyai tigwadame tikotame tichipfugamira TENZI musiki wedu nokuti ndiTENZI wedu isu ndisu vanhu vaanofudza uye tiri hwai dziri mumaoko ake. Dai nhasi mukangoteererawo zvenyu kuizwi rake. Musaomese mwoyo yenyu sokuMeribha somusi uya kuMasa murenje, madzibaba enyu paakandiedza, vakatsvaka kuona zvandiri, kunyange vakanga vaona mabasa angu. Kwamakore makumi mana ndakasema chizvarwa ichocho ndikati, “Vanhu vakarasika ava, vasina hanya nenzira dzangu.” Ndokusaka ndakapika nehasha kuti havambofa vakasvika kunzvimbo yangu yokuzorora. Imbirai TENZI rwiyo rutsva pasi pose zvapo ngapaimbire TENZI! Imbirai TENZI murumbidze zita rake paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Rondedzerai marudzi avanhu zvembiri yake nokundudzi dzose zvishamiso zvaakaita. Nokuti TENZI mukuru, anofanira kurumbidzwa chaizvo pavamwari vose ndiye anofanira kutyiwa. Nokuti vamwari vose vamarudzi ndavamwari vechipameso asi TENZI ndiye akasika matenga. Chiremera nembiri ndezvake nzvimbo yake inoera yakasimba, inzvimbo yakanaka. Imi mhuri dzose dzavanhu rumbidzai TENZI rumbidzai mbiri nesimba raTENZI! Mbiri ngaiende kuna TENZI, mbiri inokodzerana nezita rake takurai chipo muuye nacho munhandare dzake! Pfugamirai TENZI muine hanzu tsvene, pasi pose zvapo ngapadedere mberi kwake. Taurai kumarudzi kuti, “TENZI ndiye anotonga, hongu nyika yakanyatsosimba, haitsukunyuki, achatonga marudzi zvine ruenzaniso.” Matenga ngaafare, nyika ngaipururudze, gungwa ngaritinhire nezvosewo zvizeremo, sango ngarifare kwazvo nezvosewo zvirimo. Miti yomusango ndopaichadaidzira nokufara, kufarira TENZI, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama, achatonga ndudzi zviri pachokwadi. TENZI ndimambo nyika ngaifare imi zvitsuwa zvizhinji farai. Makore nezarima zvakamukomberedza ururami noruenzaniso ndizvo hwaro hwechigaro chake chokutonga. Moto unofamba uri mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose. Mheni yake inopenyesa pasi nyika inozviona igondengendeka. Makomo anonyungudika senamo pamberi paTENZI, pamberi paTENZI wapasi pose. Matenga anoparidza ururami hwake vanhu vose vanonzwa mbiri yake. Vose vanonamata zvifananidzo, vanonyadziswa, vanozvikudza nezvifananidzo zvokunamata zvisina maturo, vamwari vose vanomugwadamira. Guta reZioni rinozvinzwa rigofara uye tuguta twokwaJudha tugofara pamusana pokutonga kwenyu Mwari. Nokuti imi TENZI ndimi mukurukuru pasi pose. Imi munorumbidzwa zvakanyanya kupinda vamwari vose. TENZI anoda vanovenga uipi anochengetedza upenyu hwavatsvene vake, anovanunura mumaoko avakaipa. Chiedza chinobudira varurami uye rufaro kune vane mwoyo uri pachokwadi. Farai naTENZI imi makarurama tendai zita rake rinoera. Rwiyo. Imbirai TENZI rumbo rutsva nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa, simba rorudyi rwake nereruoko rwake rutsvene ndizvo zvakakupai kukunda. Mwari akaratidza kukunda kwake akazivisa kukunda kwake pamberi pamarudzi. Akarangarira mwoyochena wake nokutendeka kwake kuimba yokwaIsiraeri. Pasi pose kusvika kwayakaperera pakaoma kukunda kwaMwari wedu. Pururudzirai TENZI nokufara pasi pose shaurai rumbo rworufaro muimbe muchirumbidza. Imbirai TENZI nechipendani nechipendani kuchiimbwa rumbo namabhosvo nehwamanda pururudzirai kuvapo kwaMambo TENZI. Gungwa ngaritinhire nazvose zvizeremo, pasi pose navagerepo. Mapopopo ngaaombere maoko, makomo ngaaimbe norufaro pamwechete. Ngaaimbe pana TENZI nokuti ari kuuya kuzotonga nyika. Achatonga pasi pose noururami uye achatonga vanhu noruenzaniso. TENZI ndimambo vanhu vanodedera anogara pachigaro chake choushe, pakati pamakerubhi. Nyika inodengendeka. TENZI mukuru muguta reZioni mukuru mukuru pavanhu vose. Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa. Iye anoera. Mambo wesimba munoda ruenzaniso. Imi makamisa nduramo. Ndimi makaita kuti muna Jakobho muve noruenzaniso noururami. Rumbidzai TENZI Mwari wedu, mugwadamirei pachitambarariko chake. Iye anoera. Mosesi naAroni vaiva vamwe vavapristi vake uye Samueri aiva mumwe wevaidana zita rake, vaidana kuna TENZI iye achivapindura. Aitaura navo ari mugore, ivo vakachengeta mirao yake nemitemo yaakavapa. Imi TENZI Mwari wedu maivapindura, maiva kwavari Mwari anoregerera asi muchiranga zvavainge vatadza. Rumbidzai TENZI Mwari wedu mumunamate pagomo rake rinoera nokuti TENZI Mwari wedu anoera. Rwiyo rwemupiro wokutenda. Pururudzirai TENZI imi nyika dzose shandirai TENZI, norufaro, uyai pamberi pake muchiimba. Zvizivei kuti TENZI ndiMwari, ndiye akatisika uye kuti tiri vake. Tiri vanhu vake, hwai dzake dzaanochengeta. Pindai pamisuo yake mikuru muchitenda mupinde mumipanda yake muchirumbidza, mutendei muchirumbidza zita rake. Nokuti TENZI akanaka, mwoyochena wake hauperi, kutendeka kwake kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa. Mambo kwaye Ndichaimba nezvokutendeka uye nezvoruenzaniso, ndichaimbira imi TENZI. Ndichangwaririra mufambiro wakarurama. Ko imi muchauyawo kwandiri rini? Ini ndichafamba nomwoyo wakatendeka mumba mangu. Ndicharega kutarisa chose chinenge chakashata; zvose zvinoitwa navanenge vafuratira Mwari, ndichazvivenga. Handidi kuva nei nazvo. Uipi ndichasiana nahwo, handidi kumbofa ndakaita ukama nouipi. Munhu anoreva mumwe wake muchivande, ndichamuparadza. Munhu anozvitutumadza, anozvikudza handidi, kuita hanya naye. Ziso rangu richava kuna vakatendeka munyika ndivo vangagare neni. Munhu anotevera nzira yakarurama, ndiye achandishandira. Hapana munhu anoita zvoujarijari achagara mumuzinda wangu. Hapana anoreva nhema acharamba aineni. Mangwanani oga oga ndichaparadza vakaipa vose munyika ndichipedza vaiti vezvakaipa vose muguta raTENZI. Munamato womunhu wevechidiki munhamo Inzwai munamato wangu, imi TENZI, kuchema kwangu ngakusvike kwamuri. Musandivanze uso pazuva rokutambura kwangu. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; ndipindureiwo nokukasira pazuva randinodanidzira. Mazuva angu ari kupfuura soutsi uye mapfupa angu anopisa sevirira romoto. Mwoyo wangu wasvaviswa, wauna souswa, ndava kutokanganwa kudya chokudya. Pamusana pokuungudza kwangu kukuru, mapfupa angu avakutoomererana nenyama yangu. Ndavakunge zizi romurenje, sezizi romudongo chaimo. Ndinorara ndakasvinura, ndavakunge shiri iri yoga pamusoro pemba. Ndinoshorwa navavengi vangu zuva rose; vanondiseka vanoshandisa zita rangu sechinhu chokurengerera nacho rushambwa. Nokuti ndinodya dota sechingwa, ndichisanganisa chokunwa changu nemisodzi pamusana pokutsamwa kwenyu nehasha nokuti makanditora mukandikanda kwakadaro. Mazuva angu akaita somumvuri wamanheru, ndinouna souswa. Asi imi mugere pakutonga nokusingaperi, zita renyu richaramba riripo kuzvizvarwa nezvizvarwa zvose. Muchasimuka henyu monzwira ngoni guta reZioni, iri nguva yokurinzwira tsitsi, nguva yakatemwa inenge yasvika nokuti varanda venyu vanoda matombo aro uye vanorinzwira tsitsi kunyange rava guruva. Marudzi achatya zita raTENZI uye madzimambo apasi acharemekedza mbiri yenyu. Nokuti TENZI achavakazve guta reZioni, achazviratidza nembiri yake. Achanzwa munamato wavasina chavanacho, asingashairi hanya mukumbiro wavo. Izvi ngazvinyorerwe chizvarwa chinouya kuitira kuti vanhu vasati vazvarwa varumbidze TENZI; kuti akatarira pasi ari munzvimbo yake yokumusoro inoera. TENZI akatarisa pasi ari kudenga kuti anzwe kugomera kwavasungwa kuti asunungure vakanga vatongerwa rufu, kuri kuitira kuti vanhu vaparidze zita raTENZI muZioni, vaparidze mbiri yake muJerusaremu, marudzi avanhu paanoungana pamwechete, nyika nenyika padzinoungana kuzonamata TENZI. Akandityora mapfupa panzira; akandidimurira mazuva. Ndinoti, Mwari wangu musanditore ndichiri mukati memazuva angu, imi mune makore anoramba aripo pazvizvarwa nezvizvarwa zvose. Pasi chigare, makaisa ugaro hwenyika, matenga ibasa ramaoko enyu. Izvo zvichaparara asi imi mucharamba muripo; zvichasakara sehanzu. Munovachinja sehembe vachipfuura. Asi imi munoramba muri zvamuri makore enyu haaperi. Vana vavaranda venyu vachagara zvisina njodzi; zvizukuru zvavo zvichanyatsodzika midzi pamberi penyu. Rwiyo rwaDhavhidhi. Rumbidza TENZI iwe mweya wangu uye zvose zviri mandiri, rumbidzai zita rake rinoera. Rumbidza TENZI iwe mweya wangu; usakanganwe zvikomborero zvake zvose. Iye anoregerera uipi hwako hwose; anokurapa zvirwere zvako zvose anokununura kuti urege kuenda kuguva. Pamusoro pazvose anokuitira mwoyochena netsitsi. Anokugutsa nezvinhu zvakanaka upenyu hwako hwose achikugwinyisa zvokuti unoramba uri mudiki segondo. TENZI anomiririra nokuitira zvino ruenzaniso vose vanodzvinyirirwa. Akazivisa nzira dzake kuna Mosesi namabasa ake kuvanhu veIsiraeri. TENZI ane tsitsi nengoni haakurumidzi kushatirwa uye ane mwoyochena wakawanda. Haarambi achingotsiura kana kuramba akashatirwa. Haatiitiri zvakaenzana nezvitadzo zvedu kana kutipa mubayiro maererano nouipi hwedu. Sokukwira kwakaita denga kubva pasi ndokukura kwakaita mwoyochena wake kuna vanomutya. Sokutaramukana kwakaita kumabvazuva nokumadokero ndokutaramutsa kwaanoita zvikanganiso zvedu kubva kwatiri. Sezvinoita baba kunzwira tsitsi vana vavo, TENZI anoitirawo tsitsi vanomutya nokuti anoziva maumbirwo atakaitwa anoyeuka kuti tiri huruva. Asi munhu mazuva ake akaita souswa anokura seruva romusango. Mhepo inongoti pfuurei napariri irowo hutu kuenda, nzvimbo yaro haizomboriziva. Asi mwoyochena waTENZI uripo narini narini kuna vanomutya uye ururami hwake hunosvika kuvana vavana kuna vanochengeta chitenderano chake uye vanoyeuka kuchengeta mitemo yake. TENZI akaisa chigaro chake chokutonga mudenga, umambo hwake hunotonga zvose. Rumbidzai TENZI imi vatumwa vake vose, imi magamba munoita zvaanoreva muchiteerera izwi rake. Rumbidzai TENZI imi hondo dzake dzose dzokudenga imi vashandi vake vanoita kuda kwake. Rumbidzai TENZI imi mabasa ake ose kose kwaanotonga. Rumbidza TENZI iwe mweya wangu. Rumbidza TENZI mweya wangu TENZI Mwari wangu muri mukuru kwazvo, makapfeka chiremera nembiri. Imi munozvifukidza nechiedza sehanzu, imi makatambanudza denga setendhe. Imi makamisa mbiru dzedzimba dzenyu pamvura, munoita makore ngoro dzenyu dzehondo, munofamba muri pamapapiro emhepo. Munoita kuti mhepo dzive nhumwa dzenyu muchiita moto namarimi vashandiri venyu. Makamisa nyika paugaro hwayo kuti irege kumbozunguzwa. Makaifukidza nemvura yakadzika sehanzu mvura yaifukidza makomo zvokutoapfuurira. Pamakaitsiura, mvura yakabva yatiza, payakangonzwa kutinhira kwenyu yakatiza. Yakayerera pamusoro pamakomo ichienda mumapani kunzvimbo yamakaitemera. Makaimisira miganhu yaisingafaniri kupfuura kuti irege kufukidzazve nyika. Makaita kuti zvisipiti zvitubuke mumapani, mvura ichiyerera pakati pamakomo. Zvinopa mvura yokunwa kumhuka dzose dzesango, mbizi dzichitopedzawo nyota yadzo. Shiri dzinoita matendere adzo munyasi mayo, dzinoimba mumapazi. Munodiridza makomo muri kumusoro kwamunogara. Nyika inogutswa nemichero yebasa renyu. Munokudzira mombe uswa uye mbeu dzokuti munhu arime kuitira kuti aburitse zvokudya muvhu newaini yokufadza nayo mwoyo womunhu namafuta okuti apenyese uso hwake nawo nechingwa chokusimbisa mwoyo womunhu nacho. Miti yaTENZI inodiridzwa zvikuru; miti yemisidhari yeRebhanoni yaakasima. Mairi, shiri dzinovaka matendere adzo shuramurove mumasaipurasi ndimo mumusha maro. Makomo marefu ndeembudzi dzomusango mumatombo ndimo munovanda mbira. Makaita mwedzi kuti utare mwaka; zuva rinoziva nguva yokudoka. Munoita kuti kuite rima huchibva hwava usiku. Mhuka dzose dzesango ndipo padzinobva dzabuda. Shumba dzechidiki dzinodzvovera chokudya dzichitsvaka chokudya chadzo kuna Mwari. Kana zuva rabuda dzinobva dzondorara munzvimbo yadzo. Munhu anobudawo achienda kubasa rake, kumushando wake kusvikira manheru. TENZI hakusi kuwanda ikoko kwakaita zvamakaita, makazviita zvose noungwaru nyika izere nezvisikwa zvenyu. Ukowo uko hero gungwa rakakura uye rakapamhama rinebvakapfaka rezvinhu zvisingaverengeki, zvinhu zvipenyu zvidiki nezvikuru. Uko heyo ngarava iri kufamba nezigaranyanya ramakasika kuti mutambe zvenyu naro. Zvose izvozvi zvinotarisa kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva kwayo. Zvamunozvipa ndizvo zvazvinounganidza, mukatambanudza ruoko rwenyu izvo zvinobva zvagutswa nezvinhu zvakanaka. Mukangovanza uso hwenyu, izvo zvinobva zvadumbirwa. Mukabvisa femo razvo zvinobva zvafa zvichibva zvadzokera kuvhu kwazvo. Mukatuma mweya wenyu zvinobva zvasikwa, muchitobva mavandudza pasi. Mbiri yaMwari ngaigare nokusingaperi Mwari ngaafarire mabasa ake; iye anoti akatarisa pasi, panobva pandengendeka, akabata makomo, anobva apwititika utsi. Ndichaimbira TENZI upenyu hwangu hwose. Ndichaimba ndichirumbidza Mwari wangu ndiri mupenyu. Dai waro munamato wangu wokurangarira kwangu kwangomufadza nokuti ndinofara naMwari. Vatadzi ngavaparadzwe panyika vakaipa ngavarege kuzovapozve. Rumbidza TENZI iwe mweya wangu TENZI ngaarumbidzwe. Tendai TENZI mumunamate nezita, muparidze mabasa ake kundudzi dzavanhu. Muimbirei mumurumbidze nenziyo mutaure zvishamiso zvaakaita. Pururudzai muzita rake rinoera; mwoyo yavanotsvaka TENZI ipembere nokufara. Nekairai kutsvaka TENZI mutsvakewo simba rake. Shungu yokuda kuva pana TENZI ngaive mugariro. Rangarirai zvishamiso zvaakaita zviratidzo nemirao yakabuda mumuromo make. Imi chizvarwa chaAbhurahamu, muranda wake, imi vana vaJakobho, vasarudzwi vake. Iye TENZI ndiye Mwari wedu, mirao yake hakuna kwaisiri pasi pose. Anorangarira nokusingaperi chitenderano chake, chitsidzo chaanochengeta kusvikira kuchizvarwa chechiuru. Chitenderano chaakaita naAbhurahamu chitsidzo chaakaita kuna Isaki chaakazvisunga nacho somurao kuitira Jakobho sechitenderano chake navaIsiraeri chokugara nokugara achiti, “Ndichakupa nyika yeKanani somugove wako wenhaka.” Ipapo vakanga vachiri katsama chete, vanhu vashomanana, vatorwa zvavo, kufamba nawo marudzi akasiyana siyana vachideva namo mumadzimambo nomumarudzi avanhu vakasiyana siyana. Zvokuti pave navanovadzvinyirira, akaramba, pamusana pavo aitsiura madzimambo, achiti, “Musambobata-bata zvenyu vangu vandakazodza, vaporofita vangu musawana chamunoita kwavari.” Paakatuma nzara panyika akaparadza chose chinonzi chokudya. Akafanotuma mumwe murume pamberi pavo ainzi Josefi akatengeswa somuranda. Makumbo akati ngaasungwe akaiswa makechemu, mutsipa wake wakakochekerwa nesimbi. Kusvikira zvaakanga ataura zvaitika, shoko raTENZI rakamupembedza. Mambo akatuma shoko akamusunungura mutongi wavanhu akamusunungura. Akamuita mukuru mukuru womuzinda wake uye mutongi wezvinhu zvake zvose achigona kupa machinda ake mutemo waanoda uye kudzidzisa vakuru kwaari ungwaru. Isiraeri akazouya kuIjipiti Jakobho akambogara munyika yokwaHamu. TENZI akaita kuti vanhu vake vaberekane zvikuru akavapa simba kupinda vatongi vavo vaakasandura mwoyo kuti vavenge vanhu vake uye kuti vanyengedze varanda vake. Akatuma Mosesi muranda wake naAroni waakasarudza vakaita zviratidzo zvake pakati pavo nezvishamiso munyika yokwaHamu. Akatuma rima akaita kuti nyika iite rima, ikati ndoo kusviba. Akapandukira zvaakanga areva. Akasandura mvura yavo ikava ropa akauraisa hove dzavo. Nyika yavo yakazara matafi kunyange mudzimba dzamadzimambo avo. Akataura kukauya mhute dzenhunzi neumhutu nyika yavo yose. Panze pokuvapa mvura akavatumira chimvuramahwe nemheni yaipenya nyika yose akaparadza migirepisi yavo nemionde yavo akatyoranisa miti yenyika yavo yose. Akataura, hwiza dzikauya, gwatakwata radzo risingaverengeki. Dzakadya zvinomera zvose munyika mavo dzikadya muchero weminda yavo. Akauraya matangwe ose munyika mavo zvibereko zvokutanga zvesimba ravo rose. Akabudisa vaIsiraeri vaine sirivha nendarama, hapana kana mumwe wavo aiva noundonda. Ijipiti yakafara pavakaenda nokuti yakanga yawirwa nokuvatya kukuru. Akatambanudza gore rokuvafukidza naro nomoto wokuvavhenekera nawo usiku. Vakakumbira, iye akavaunzira zvihuta, akavapa chingwa chakawanda chaibva kudenga. Akazarura dombo mvura ikadzutuka ikayerera nomurenje serwizi nokuti akayeuka chitsidzo chake chinoera naAbhurahamu muranda wake. Naizvozvo akatungamirira vanhu vake norufaro vanhu vake vaakasarudza vakaimba nomufaro. Akavapa nyika dzevechirudzi vakatora zvavo muchero webasa rakanga raitwa namarudzi avanhu achiitira kuti ivo vazochengeta mirao yake nokuchengeta mitemo yake. Areruya. Areruya. Tendai TENZI nokuti wakanaka nokuti mwoyochena wake hauperi. Ndiani angataure mabasa aTENZI esimba kana angaparidze mukurumbira wake? Vakakomborerwa zvavo vanoita zvino ruenzaniso; vanoita zvakarurama nguva dzose. Ndiyeukeiwo TENZI pamunoratidza vanhu venyu kuvada kwenyu. Ndiyamureiwo pamunovanunura kuti ndiwanewo kubudirira kwavasarudzwi venyu kuti ndifarewo panofara vanhu venyu. Ndigopemberawo nenhaka yenyu. Asi pamwechete namadzibaba edu takatadza. Takaita zvakaipa takaita zvisakarurama. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti havana kurangarira mabasa enyu anoshamisa. Havana kuyeuka kuita mwoyochena kwenyu kwakawanda asi vakatopandukira Wokumusorosoro paGungwa Dzvuku. Zvakadaro zvazvo akavanunura pamusana pezita rake kuti aratidze simba rake guru. Akakarira Gungwa Dzvuku rikava napakaoma; akavatungamirira napakadzika sokunge vaiva mugwenga. Nokudaro akavanunura mumaoko omuvengi akavaponesa kusimba remhandu. Mvura yakafukidza vaivarwisa hakuna kana mumwechete wavo akasara. Ndipo pavakatenda mazwi ake vakaimba vachimurumbidza. Asi havana kutana kukanganwa mabasa ake; havana kumirira mazano ake. Asi vakaita makaro murenje, vakaedza Mwari mugwenga. Akavapa zvavakakumbira asi akavatumira denda rinoparadza. Vanhu pavakaitira Mosesi shanje pamatendhe naAroni mutsvene waTENZI. Nyika yakabamuka ikamedza Dhatani ikafukidza vechikwata chokwaAbhiramu. Moto wakabaka muchikwata chavo; rimi romoto rikapisa vakaipa. Vakaumba chimhuru kuHorebhu vakagwadamira chifananidzo chakaumbwa. Mbiri yavaifanira kupa Mwari vakaipa kuchifananidzo chemombe inodya uswa. Vakakanganwa Mwari mununuri wavo akaita zvinhu zvikuru muIjipiti, mabasa anoshamisa munyika yaHamu uye zvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku. Naizvozvo akati regai ndivaparadze pasina kuti Mosesi musarudzwi wake, akatovamiririra pamberi pake kuti adzore hasha dzake arege kuvaparadza. Vakazvidza nyika yakanaka vasina chivimbo nezvaakatsidzira. Vakanyunyuta mumatendhe avo havana kuteerera izwi raTENZI. Nezvo akasimudza ruoko rwake akapika kuti vachatofira murenje imomo uye kuti achamwararisa zvizukuru zvavo mukati mevechirudzi achivaita rumwe rumwe mudzinyika. Vakazvibatanidza naBhaari wokuPeori vakadya zvibayiro zvakapirwa vakafa. Vakavirutsa Mwari nehasha nezviito zvavo; denda rakamuka pakati pavo. Fineasi ndiye akatozoipindira nyaya yacho, denda rikabva ramiswa. Izvozvo zvakaita kuti anzi mururami pachizvarwa nechizvarwa nokusingaperi. Vakamushatirisa paya pamvura yokuMeribha zvikaipira Mosesi nokuda kwavo nokuti vakamusvibisa mwoyo akataura zvisina maturo nomuromo wake. Havana kuparadza marudzi avanhu sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTENZI asi vakavhengana namarudzi vakadzidza kuita zvavanoita. Vakanamata zvifananidzo zvavo zvikava musungo kwavari vakaita vana vavo vakomana navasikana chibayiro kumweya yakaipa. Vakadeura ropa risina mhaka ropa ravanakomana vavo navanasikana vavo vavakapira kuzvifananidzo zvomuKenani nyika ikan'oreswa neropa. Naizvozvo vakan'oreswa nezviito zvavo; vakaita unzenza nokuita kwavo. Nezvowo TENZI akavirukira vanhu vake nehasha akavenga nhaka yake. Akavaisa mumaoko evechirudzi zvokuti vaivavenga vakavatonga. Vavengi vavo vakavadzvanyirira, vakapinda uranda pasi pavo. Akavanunura kazhinji asi ivo zvavaironga ndezvokupanduka bedzi, vakadzikira kwazvo pamusana pouipi hwavo. Asi aiona nhamo yavo paakanzwa kuchema kwavo. Akarangarira chitenderano chake navo achitoitira zvake ivo, akadzora mwoyo pamusana pokuwanda kwemwoyochena wake. Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakanga vavatapa. Tinunureiwo TENZI Mwari wedu mutikokorodze kumarudzi kuitira kuti titende zita renyu rinoera tifare nomukurumbira wenyu. TENZI Mwari waIsiraeri ngaarumbidzwe narini narini vanhu vose ngavati, “Ameni.” Areruya. Tendai TENZI nokuti akanaka mwoyochena wake hauperi. Vakanunurwa naTENZI ngavadaro, vaakanunura munhamo, vaakakokorodza kubva kudzinyika, kubva kumabvazuva nokumadokero, kuchamhembe nokumaodzanyemba. Vamwe vakadzungaira murenje vachishaya nzira yokuenda nayo kuguta rokundogara. Vakaita nzara nenyota vakarasa mwoyo. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavatungamirira munzira yakati tasa vakasvika muguta rokugara. Ngavatende TENZI nokuda kwomwoyochena wake uye nokuda kwezviito zvake kuvanhu zvinoshamisa nokuti anogondwesa ane nyota uye ane nzara anomugutsa nezvinhu zvakanaka. Vamwe vaigara murima nomuzarima vari vasungwa vari munhamo vakasungwa nesimbi nokuti vakanga vapandukira mazwi aMwari vakazvidza zano roWokumusorosoro. Vakanga vasvipa mwoyo nebasa rakaomarara vakawira pasi pasina anovabatsira. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura mupfumvu yavo. Akavaburitsa murima nomuzarima akadambura misungo yavo. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa, nokuti anopwanya makonhi endarira achityora napakati zvihuri zvesimbi. Vamwe vakarwara nokuda kwokutadza kwavo, vakapinda pfumvu pamusana pouipi hwavo. Vakasema zvokudya zvose vakatenge voda kufa. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavarapa nezwi rake akavanunura pakuparadzwa. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa. Uye ngavapire chibayiro chokutenda vaparidze mabasa ake nenziyo dzorufaro. Pane vamwe vakaenda kugungwa nengarava vachiita ushambadzi vari mumvura zhinji. Vakaona zvinoita TENZI, zviito zvake zvinoshamisa makadzika. Akataurira dutu kuti risimuke rikasimudza masaisai egungwa. Vaimboti mudenga kata vozomboti pasi pasi vido pakadzika, vakapererwa nechivindi mujambwa ravo rakaipa. Vakadzengedzeka vakadzadzarika savanhu vakadhakwa vapererwa nopfungwa. Vakazochema kuna TENZI munhamo yavo iye akavanunura kupfumvu yavo. Akanyaradza dutu, masaisai egungwa akabva apomhodzwa. Vakabva vafara nokuti vakave norunyararo uye nokuti akavaunza pokumisa ngarava pavaida. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa. Ngavamurumbidze mugungano ravanhu vamurumbidze musangano ravakuru vakuru. Anosandura nzizi kuva gwenga zvisipiti zvomvura zvichiva ivhu rine nyota nyika inobereka ichiva renje romunyu nechikonzero chouipi hwavagari vayo. Anosandura gwenga richiva madziva emvura nyika yakaoma ichiva zvisipiti zvemvura. Vanenzara vanotonoita musha ipapo vachitovaka guta rokugara vachitodyara minda, vachitosima migirepisi vachiwana kukohwa kwakanaka. Ivo pachavo aivakomborera vachitowanda kwazvo asingabvumiri kuti zvipfuwo zvavo zvishomeke, kana vainge vashomekeswa, vaitwa vanhu vasina maturo pamusana pokudzvinyirirwa kana kuti nenhamo kana nokusuruvara. Aizvidza machinda achiita kuti vadzengerere murenje asi anobvisa kunhamo vasina chavanacho achiwanza mhuri dzavo samatanga ezvipfuo Vakarurama vanozviona vagofara; asi vakaipa vose vachati muromo kapu nazvo. Munhu wose mungwaru ngaacherechedze zvinhu izvi vanhu ngavarangarire mwoyochena waTENZI. Nyika inokumbira rubatsiro pamusana pavavengi Mwoyo wangu wakagadzikana Mwari, mwoyo wakagadzikana. Ndichaimba ndichirumbidza; muka iwe mweya wangu. Mukai imi dimbwa nechipendani ndimutse mambakwedza. Ndichakutendai TENZI pakati pavanhu vamarudzi ndichaimba ndichikurumbidzai pakati pendudzi dzavanhu nokuti mwoyochena wenyu mukuru kumusoro kumatenga uye kutendeka kwenyu kunosvika kumakore. Dai mangokudzwa zvenyu Mwari kumusoro kumatenga; mbiri yenyu idhumhe pasi pose. Kuitira kuti vapamwoyo penyu vaponeswe. Batsirai nesimba roruoko rwenyu mundipindurewo. Mwari akatsidza noutsvene hwake achiti, “Ndichagamura Shikemu ndichifara. Ndichagovawo mapani eSukoti. Nyika yeGiriadhi ndeyangu, neyekwaManase ndeyangu, yokwaEfuremu inguwani yangu, yokwaJudha ndiyo tsvimbo yangu youmambo, yokwaMoabhu ndiyo mudziyo wangu wokugezera. Pane yeEdhomu ndipo pandinokanda shangu dzangu. Firisitia ichapururudzira kukunda kwangu.” Ko zvino ndiani achanditsvitsa kuguta rokuzvidzivirira muhondo ndiani achanditungamirira kuEdhomu. Hamusirimi here makatirasa nhai Mwari? Hamuchaperekedzi hondo dzeduka, imi Mwari? Tibatsireiwo kurwisa mhandu dzedu nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo. Kana Mwari anesu tinorwisa zvine simba. Ndiye achatsikatsika mhandu dzedu. Kunyunyuta kwomunhu ari munhamo Imi Mwari wandinorumbidza regai kunyarara nokuti vakaipa navarevi venhema vari kundirwisa vachindirevera nhema vandikomba namashoko oruvengo vachindirwisa pasina chikonzero. Vanondivenga kunyange zvazvo ini ndichivada asi ini ndichatovanamatira. Saizvozvo vanodzorera kuvada kwangu nezvakaipa uye rudo rwangu noruvengo. Sarudzai munhu wakaipa wokumupikisa, ngapave nomupomeri kurudyi kwake. Paanotongwa ngaabatwe nemhosva. Munamato wake ngautorwe sechitadzo. Mazuva ake ngaaite mashoma basa rake ngaritorwe nomumwe. Vana vake ngavave nherera dzisina baba mudzimai wake ave chirikadzi. Vana vake ngavadzungaire vachipemha ngavadzingwe mumatongo avanenge vagere vari. Waakatorera chikwereti ngaamutorere zvose zvaanazvo, vatorwa ngavapambe zvaakashandira. Ngaparege kuva nomunhu anomunzwira tsitsi kana anonzwira tsitsi nherera dzake dzisina baba. Vana vake ngavaparadzwe, zita rake ripfudzike pachizukuru chechipiri. Zvakaipa zvamadzibaba ake ngazvirangarirwe naTENZI; chitadzo chaamai vake chirege kupfudzwa, zvirambe zviri pana TENZI kuitira kuti vasamboyeukwazve panyika. Nokuti haana kuyeuka kuita mwoyo wakanaka; asi akaronda varombo navasina chavanacho navakarasa mwoyo kusvikira vatofa. Aifarira kurengerera rushambwa, rushambwa ngarumupfukire. Haana kufarira chikomborero saka ngachivewo kure naye. Akapfeka kurengerera rushambwa sebhachi, dai kukamutotesa semvura, samafuta mumapfupa ake. Dai kukangoita sehanzu yaanozvimonera nayo uye sebhande raanozvisunga naro zuva nezuva. Iwoyu ngauve mubayiro wavanondipa mhosva unobva kuna TENZI wavo vanotaura zvakaipa nezvangu. Asi imi Mwari TENZI wangu ndibatsirei pamusana pezita renyu nokuti mwoyochena wenyu wakanaka, ndinunureiwo nokuti ndiri murombo asina chaanacho, uye ndabaiwa mwoyo. Ndavakunyangarika somumvuri kumanheru ndazunzirwa pasi semhashu. Mabvi angu arenda nokutsanya, ndaonda ini. Ndava chinhu chinoshorwa navandipomera mhosva; vakandiona vanozunguza musoro. Ndibatsireiwo TENZI Mwari wangu ndinunureiwo nemwoyochena wenyu. Ngavazvizive kuti iri isimba renyu uye kuti imi TENZI ndimi makazviita. Regai zvavo varengerere rushambwa asi imi komborerai vanondirwisa zvavo; asi vachanyara ini muranda wenyu ndichitofara. Vanondipa mhosva ngavafukidzwe nokuzvidzwa. Ngavamoneredzwe nokunyara kwavo sejira. Ndichatenda TENZI kwazvo nomuromo wangu ndichamurumbidza paruzhinji rwavanhu nokuti anomira naasina chaanacho kumununura kuna vanomutongera rufu. Rwiyo rwaDhavhidhi. TENZI akati kuna TENZI wangu, “Uya ugare kurudyi kwangu kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.” TENZI anotumira kubva muZioni simba rako guru rokutonga. “Tonga pakati pavavengi vako.” Vanhu vako vachazvipira nomwoyo unoda pauchatungamirira hondo yako pamakomo ako anoera kubvira kumangwanani-ngwanani? Sedova, vechiduku vako vachauya kwauri. TENZI akapika uye haachasanduka mwoyo kuti, “Uri mupristi nokusingaperi wegovero raMerekizedheki.” TENZI ari kurudyi rwako achaparadza madzimambo pazuva rake rehasha. Achatonga mukati mendudzi dzavanhu maachazadza nezvitunha, achaparadza vatungamiri kusvika kure kure chaiko. Iye achanwa murukova ruri pedyo nenzira, saka ndiye chete anenge akasimudza musoro. Areruya. Ndichatenda TENZI nomwoyo wangu wose mugungano ravakarurama, musangano. Mabasa aTENZI makuru anodzidzwa navose vanoafarira. Basa rake rino mukurumbira nechiremera, ururami hwake hunogara huripo nokusingaperi. Akadzika chokuti timuyeuke nacho mabasa ake anoshamisa, TENZI ane mwoyo wakanaka uye ano tsitsi. Anopa chokudya vanomutya, haakanganwi chitenderano chake. Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake nokuvapa kwaakaita nhaka yaiva yamarudzi. Mabasa amaoko ake anotendeseka uye anoruenzaniso, mitemo yake inovimbika. Ipfirapo narini narini, yakatemwa mukutendeka nomuchokwadi. Akatuma ruponeso kuvanhu vake; akasunga chitenderano chake nokusingaperi, zita rake rinoera uye rinotyisa. Kutya TENZI ndiko kutanga kwoungwaru, vose vanoita kudaro vanobva vava nokunzwisisa chaiko. Mwari acharumbidzwa nokusingaperi. Areruya. Akakomborerwa zvake munhu anotya TENZI, anofarira mitemo yake zvikuru. Zvizukuru zvake zvichava zvakasimba panyika zvizvarwa zvakarurama zvichakomborerwa. Musha wake uchazara noupfumi nepfuma uye ururami hwake huchagara nokusingaperi. Chiedza chinovhenekera mururami murima. Wakanaka zvake munhu anoita mwoyochena uye anokweretesa anoita zvinhu zvake noruenzaniso. Mururami haambozunguziki acharangarirwa nokusingaperi. Haambotya marehwarehwa akaipa; akasimba mwoyo, anovimba naTENZI. Akagadzana mwoyo, haambotya kusvikira aona zvaanoda zvichiitika kumhandu dzake. Ndimupanegombe chaiye anopa kuvarombo; kururama kwake kunoramba kuripo nokusingaperi, simba rake rinorumbidzwa nomukurumbira. Munhu wakaipa anozviona agogumbuka nazvo; anofinyamisa uso obva anyangarika; zvinodiwa nowakaipa hazvina kwazvinosvika. Areruya. Imi varanda vaTENZI rumbidzai, rumbidzai zita raTENZI. Zita raTENZI ngarirumbidzwe kubvira zvino kusvikira nokusingaperi. Kubvira pakubuda kwezuva kusvika pakudoka kwaro, zita raTENZI ngarirumbidzwe. TENZI ari pamusoro pamarudzi ose mbiri yake inorumbidzwa kumusoro kwamatenga. Ndiani akaita saTENZI Mwari wedu kumusoro ndokwaagere? Anotoita zvokukotamira pasi kuti aone matenga napasi. Anobvisa varombo muhuruva achisimudza vasina chavanacho kubva mudota achivagarisa namachinda, namachinda avanhu vake. Anopa mudzimai asina mbereko musha achimuita amai vavana vanofara. Areruya. Vanhu veIsiraeri pavakabuda muIjipiti, imba yokwaJakobho ichibva muvanhu vorumwewo rurimi, Judha yakave nzvimbo yake inoera Isiraeri ikave nyika youmambo hwake. Gungwa rakazviona rikatiza rwizi rwaJorodhani rwakadzokera shure. Makomo akachirika sehondohwe zvikomo zvikachirika sehwayana. Zvakanga zvaita seiko nhaiwe gungwa kuzotiza, newe Jorodhani kuzodzokera shure kudaro nemi makomo kuzochirika sehondohwe nemiwo zvikomo kuita sehwayana kudaro? Dedera iwe nyika pana TENZI, pana Mwari wokwaJakobho anopindura dombo richiva dziva remvura dombo romusarasara richiva kasipiti kemvura. Kwete isu TENZI, kwete isu asi zita renyu ndiro ngaripiwe mukurumbira nokuda kwemwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu. Marudzi tingaapirei mukana wokuti vati, “Mwari wavo aripiko?” Mwari wedu ari kumatenga, anoita zvaanoda. Zvifananidzo zvavo zvokunamata, isirivha nendarama, zvakaitwa namaoko avanhu. Zvine miromo asi hazvitauri; zvina maziso asi hazvioni. Zvine nzeve asi hazvinzwi; zvine mhuno asi hazvinhuwidzi zvina maoko asi hazvigoni kubata; zvina makumbo asi hazvifambi, hapana kana izwi razvinogona kuburitsa nehuro dzazvo. Saka vanozviumba vachafanana nazvo; vachafananawo nazvo vanovimba nazvo. Asi vaIsiraeri vanovimba naTENZI; ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. Imba yokwaAroni inovimba naTENZI; ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. Vanotya TENZI vanovimba naTENZI; ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. TENZI anotirangarira; achatikomborera. Achakomborera imba yokwaIsiraeri; achakomborera imba yokwaAroni. Achakomborera vanotya TENZI vakuru navaduku. TENZI ngaakuwanziridzei imi navana venyu. Dai makangokomborerwa naTENZI akasika denga napasi. Matenga ndeaTENZI asi nyika akaipa kuvanhu. Vakafa havarumbidzi TENZI kana vaya vanoenda kurunyararo Asi isu ticharumbidza TENZI kubvira zvino nokusingaperi. Areruya. Ndinoda TENZI nokuti akanzwa izwi rangu nechichemo changu; nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri naizvozvo ndichadaidzira kwaari chero ndichiri mupenyu. Misungo yorufu yakandikomba, kurwadza kwenzvimbo yavakafa kwakandibata. Ndakaona nhamo namatambudziko. Ndakazodana zita raTENZI ndichiti, “Ndinokukumbirai TENZI ndinunureiwo.” TENZI wakanaka, akatendeka; Mwari wedu ane tsitsi. TENZI anochengeta vanhuwo zvavo. Pandakanga ndasakadzwa nenhamo, akandinunura. Mwoyo wangu dzikama zvako nokuti TENZI akandiitira zvakanaka nokuti makandinunura kurufu mukandipukuta misodzi mukanditsigira kuti ndirege kuwa. Saizvozvo ndinofamba ndiina TENZI munyika yavapenyu. Ndakaramba ndiine chitendero changu, kunyange ndaiti zvangu, “Ndiri kutambudzika zvikuru.” Pandakanga ndazunzika kudaro ndakati, “Kuvimba nomunhu hakuna maturo.” Ko TENZI ndichamupeiko pane zvizhinji zvaakandipa? Ndichapira mukombe womuteuro woruponeso ndichidaidza zita raTENZI. Ndichaita zvandakatsidza kuna TENZI vanhu vake vose vachiona. Kuna TENZI, rufu rwavarurami vake rwakakosha. TENZI ini ndiri muranda wenyu. Ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu, makandinunura kurufu. Ndichapira kwamuri chibayiro chokutenda ndichinamata zita raTENZI. Ndichaita zvandakatsidza kuna TENZI vanhu vake vose vachizviona mumipanda yemba yaTENZI mukati mako iwe Jerusaremu. Areruya. Rumbidzai TENZI imi marudzi ose; mukudzei imi vanhu vose nokuti mwoyochena wake kwatiri mukuru uye kutendeka kwaTENZI kunogara nokusingaperi. Areruya. Tendai TENZI nokuti wakanaka, mwoyochena wake hauperi narini. Isiraeri ngaiti, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Imba yokwaAroni ngaiti, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Vanotya TENZI ngavati, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Ndakadaidzira kuna TENZI ndiri munhamo, TENZI akandipindura akandipinza murusununguko. TENZI zvaari kudivi kwangu handityi, munhu angandiitei. TENZI zvaari kudivi kwangu somumwe wavabatsiri vangu, vanondivenga ndichatovayeva zvangu. Zviri nani kupotera kuna TENZI panokuvimba nomunhu. Zviri nani kupotera panaTENZI panokuvimba namachinda. Marudzi akandikomba, muzita raTENZI ndakavaparadza. Vakandikomba zvokundikomberedza kwazvo mativi ose; muzita raTENZI ndakavaparadza. Vakandimomotera senyuchi vakati viru viru somoto wetsotso dzeminzwa; muzita raTENZI ndakavaparadza. Ndakasundidzirwa zvine simba zvokutoda kuwa asi TENZI akandibatsira. TENZI ndiye simba rangu norumbo rwangu, ndiye akava ruponeso rwangu. Heyo mheterwa nemipururu yokupururudzira kukunda zvinonzwika mumatendhe avarurami. Simba rorudyi rwaTENZI rakaita zvinogara zvakadaro. Simba rorudyi rwaTENZI rinosimudzira kukunda, simba rorudyi rwaTENZI rinoita zvinogara zvakadaro. Handimbofi asi ndichatorarama ndigorondedzera mabasa aTENZI. TENZI akandiranga zvinorwadza asi haana kunditsvitsa pakufa. Ndizarurireiwo mukana woururami kuti ndiwane pokupinda napo nditende TENZI. Uyu ndiwo musuwo waTENZI; vakarurama vachapinda nawo. Ndinokutendai nokuti makandipindura mukava ruponeso rwangu. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova dombo guru rapakona. Uku kuita kwaTENZI, chinhu chinoshamisa. Iri ndiro zuva rakaitwa naTENZI ngatifarei kwazvo tipembere mariri. Tinunureiwo TENZI tinokutetererai TENZI tinokutetererai itaiwo kuti tibudirire. Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTENZI; tinokurumbidzai tiri mumba yaTENZI. TENZI ndiMwari; akatipa chiedza. Batanai mudungwerungwe namapazi enyu mumaoko, kusvika kune zvinenge nyanga zviri paatari. Imi ndimi Mwari wangu uye ndichakutendai; ndimi Mwari wangu ndinokukudzai. Tendai TENZI nokuti wakanaka, mwoyochena wake hauperi narini. Vakakomborerwa zvavo vanoupenyu husina chinoshoreka, vanofamba zviri pamutemo waTENZI. Arefu Vakakomborerwa vanochengeta mitemo yake, vanomutsvaka nomwoyo wose uye vasingaiti zvakaipa asi vanotevera gwara rake. Makati mitemo yenyu ichengetwe zvakanakisa. Dai maitiro angu angova akatendeka mukuchengeta mirau yenyu. Ipapo handizonyadziswa, ziso rangu richagara riri pamitemo yenyu. Ndichakurumbidzai nomwoyo uri pachokwadi pandinodzidza zvirongwa zvenyu zvakarurama. Ndichachengeta mitemo yenyu musandirase zvachose. Ko jaya ringachengete seiko maitiro aro akanaka? Rinofanira kuzvichengetedza maererano neshoko renyu. Beti Ndinokutsvakai nomwoyo wose, itai kuti ndirege kutsauka pamirau yenyu. Ndakaisa shoko renyu mumwoyo mangu kuti ndirege kukutadzirai. TENZI ngaarumbidzwe, ndidzidziseiwo zvirevo zvenyu. Ndinodudza pachena nomuromo wangu zvakatemwa nomuromo wenyu. Ndinofara namamiriro omutemo wenyu sokufarira kwandinoita upfumi hwose. Ndichafungisisa nezvemirau yenyu ndigorangarira nzira dzenyu. Ndinofarira mitemo yenyu, handimbokanganwi shoko renyu. Ndibatei zvakanakisisa ini muranda wenyu kuti ndirarame ndichengete shoko renyu. Gimeri Zarurai meso angu kuti ndione zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu. Ndiri mweni panyika, musandiwanzire mitemo yenyu. Mweya wangu unosuwira kwazvo zvirongwa zvenyu panguva dzose. Munotsiura vanozvikudza, vanhu vorushambwa, vanotetereka kubva pamitemo yenyu. Ndibvisireiwo kunyadziswa nokushorwa nokuti ndakachengeta mitemo yenyu. Kunyange machinda akagara pasi achindirangana, ini muranda wenyu ndicharangarira zvirevo zvenyu. Zvamakatema zvinondifadza, ndiwo makurukota angu. Ndinorara muhuruva, ndimutsurudzei neshoko renyu. Dareti Pandakareurura nzira dzangu makandipindura, ndidzidziseiwo zvirevo zvenyu. Itai kuti ndinzwisise mufambiro wemitemo yenyu; ini ndichanyatsofunga nezvamabasa enyu anoshamisa. Ndaparara nokusuruvara, ndisimbiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ndichengetei ndirege kurasika, munyatsondidzidzisawo mutemo wenyu. Ndakasarudza nzira yokutendeka, ndakaisa zvirongwa zvenyu pamberi pangu. Ndinoti kwati kwati nezvamakatema, imi TENZI regai kuti ndinyadziswe. Ndichamhanya nomugwara remitemo yenyu kana mandipa kunzwisisa kwakawanda. TENZI ndidzidziseiwo gwara rezvirevo zvenyu ndicharitevera kusvika kwokugumisa. Ite Ndipeiwo kunzwisisa ndichengete mutemo wenyu ndiutevedze nemwoyo wangu wose. Nditungamirireiwo munzira yemitemo yenyu nokuti ndinoifarira. Rerekerai mwoyo wangu kumitemo yenyu kwete kune zvinondipfumisa. Dzorai maziso angu pazvinhu zvisina maturo mundipewo upenyu mugwara renyu. Chengetai chitsidzo chenyu kumuranda wenyu chamakatsidza kuna vanokutyai. Ndinzvengeseiwo kune kushorwa kwandinotya nokuti zvirongwa zvenyu zvakanaka. Tarisai muone kuti ndinoshuwira mitemo yenyu. Pamusana pokuti makarurama, ndipeiwo upenyu. Ndiitireiwo mwoyochena wenyu, TENZI mundiponesewo sokutsidza kwenyu. Wawu Ndopandingakwanise kupindura vanonyomba nokuti ndinovimba neshoko renyu. Musaite kuti ndibva ndatadza kutaura chokwadi zvachose nokuti chitarisiro changu chiri muzvirongwa zvenyu. Ndichagara ndichichengeta mutemo wenyu narini narini. Ndichafamba ndakasununguka nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Ndichataura nezvemitemo yenyu pana madzimambo, handimbonyari. Nokuti ndinofarira mitemo yenyu nokuti ndinoida. Ndinoremekedza mitemo yenyu uye ndinoida uyezve ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Yeukai zvamakataura kumuranda wenyu zvakandipa chitarisiro. Zaini Chinondinyaradza munhamo yangu ndechichi chokuti chitsidzo chenyu chinondipa upenyu. Vanozvikudza vanondishora zvazviri asi handisiani nomutemo wenyu. Pandinorangarira mirau yakare zvinondinyaradza, TENZI. Ndinoviruka nehasha pamusana pavakaipa vanokanda pasi mutemo wenyu. Mitemo yenyu ndiyo rumbo rwangu mumusha wandinogara ndiri muutapwa. Ndinoyeuka zita renyu usiku TENZI uye ndinochengeta mutemo wenyu. Ndozvanguwo izvozvo zvokuti ndakachengeta mitemo yenyu. TENZI ndiye nhaka yangu, ndinotsidza kuchengeta shoko renyu. Heti Ndinotsvaka nomwoyo wangu wose kuti mundicheukewo, ndinzwireiwo ngoni sokutsidza kwenyu. Ndikafunga makwara enyu ndinobva ndatendeuka ndotevera mitemo yenyu. Ndinokurumidza, handinonoki kuchengeta mitemo yenyu. Kunyange misungo yavakaipa ichinditeya handikanganwi mutemo wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikurumbidzai nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, wavose vanochengeta mitemo yenyu. Nyika izere nemwoyochena wenyu, TENZI, ndidzidzisei mitemo yenyu. Makachengeta ini muranda wenyu zvakanaka, TENZI, sokutaura kwenyu. Teti Ndipeiwo ungwaru pakufunga uye ruzivo nokuti ndinovimba nemitemo yenyu. Ndisati ndarohwa neshamhu ndakarasika asi pari zvino ndinochengeta shoko renyu. Makanaka uye munoita zvakanaka, ndidzidziseiwo mitemo yenyu. Vanozvikudza vanondizorazora nhema; asi ndinochengeta mitemo yenyu nemwoyo wangu wose. Asi vakaoma mwoyo, havana hanya asi ini ndinofarira mutemo wenyu. Zvakanaka kuti ndakamborwadziwa kuti ndidzidze mitemo yenyu Mutemo unobva pamuromo penyu urinani kwandiri kupfuura zviuru zvemari yendarama nesirivha. Maoko enyu ndiwo akandisika akandiumba, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndidzidze mitemo yenyu. Yodi Vanokutyai vachandiona vagofara nokuti ndakatarisira mamuri. Ndinoziva kuti zvirongwa zvenyu zvakarurama, TENZI uye kuti makandirwadzisa zviri pamutemo. Ndinyaradzeiwo nemwoyochena wenyu sokutsidza kwenyu kuneni muranda wenyu. Svikai kwandiri nengoni dzenyu kuti ndirarame nokuti ndinofarira mutemo wenyu. Vanozvikudza ngavanyadziswe nokuti vakandipomera nenhema asi ini ndichanyatsofunga nezvemitemo yenyu. Vanokutyai ngavauye kwandiri kuti vazive mitemo yenyu. Dai ndikangoteerera mitemo nemwoyo wangu wose kuti ndirege kunyadziswa. Mwoyo wangu unosuwira ruponeso rwenyu shoko renyu ndiro chitarisiro changu. Kafu Ndaneta nokutarisira chitsidzo chenyu. Ndinobvunza kuti muchandinyaradza rini, nokuti ndafanana nechigubhu chewaini chamatehwe chiri muutsi asi mitemo yenyu handina kuikanganwa? Ini muranda wenyu ndinofanira kutirira kusvikira rinhiko? Muchatonga rini vanonditambudza. Vanozvikudza vakandicherera hunza vanhu vasingatevedzi mutemo wenyu. Mitemo yenyu yose yakatendeka, vanonditambudza namanyepo, ndibatsireiwo. Vavakutosvika pakuda kundiparadza panyika asi mitemo yenyu handina kuirasa. Ndiraramiseiwo nemwoyochena wenyu kuti ndichengete mitemo yomuromo wenyu. TENZI, shoko renyu rakadzika midzi kudenga nokusingaperi. Ramadhi Kutendeka kwenyu kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa makadzika nyika uye inoramba yakasimba. Nokuronga kwenyu nanhasi zvichiripo nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Pasina kutofarira murau wenyu kwandakaita, ndingadai ndakaparara munhamo dzangu. Mitemo yenyu handimboikanganwa nokuti ndiyo yamakandiraramisa nayo. Ndiri wenyu, ndiponeseiwo nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Vakaipa vanondivandira kuti vandiparadze, asi ini chandinongofunga mitemo yenyu. Ndakaona kuti hapana chisina mugumo asi mutemo wenyu ziendanakuenda risina miganhu. Hakusi kuuda ikoko kwandinoita mutemo wenyu ndiwo wandinongofunga zuva rose. Memi Mutemo wenyu unoita kuti ndive wakangwara kupinda vavengi vangu nokuti unogara uineni. Ndinotonzwisisisa kupinda vadzidzisi vangu vose nokuti mitemo yenyu ndiyo yandinongofunga. Ndinotonzwisisa kupinda vakwegura nokuti ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinozvidzora kunzira dzose dzakaipa kuitira kuti ndichengete shoko renyu. Handitsaukani nezvirevo zvenyu nokuti makandidzidzisa. Hakusi kunaka ikoko parurimi kwakaita mashoko enyu, anonaka kupinda uchi mukanwa mangu. Ndinowana kunzwisisa nemitemo yenyu naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiro rambi retsoka dzangu nemwenje unondivhenekera nzira. Nunu Ndakatsidza uye ndinosimbisisa kuti ndichachengeta zvirevo zvenyu zvakarurama. Ndinorwadziwa zvikuru, TENZI, ndiraramiseiwo sokutsidza kwenyu. TENZI gamuchiraiwo mupiro wangu wokurumbidza mundidzidzisewo zvirevo zvenyu. Ndinogara ndakabatira ura mumaoko asi mutemo wenyu handiukanganwi Vaipi vakanditeya asi handitsauki pamitemo yenyu. Mitemo yenyu ndiyo nhaka yangu nokusingaperi. Ehe, ndiyo rufaro rwomwoyo wangu. Ndakazvipira kuchengeta mitemo yenyu narini kusvika kumugumo. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri asi chandinoda mutemo wenyu. Sameki Ndimi mudziviriri wangu nenhowo yangu, ndinovimba neshoko renyu. Ibvai kwandiri imi vaiti vezvakaipa kuti ndiwane machengetero emitemo yaMwari wangu. Nditsigireiwo sokutsidza kwamakaita kuitira kuti ndirarame, musaite kuti ndinyare nechitarisiro changu. Nditsigirei ndichengeteke ndirambe mwoyo uri pamitemo yenyu. Munorasa vanhu vose vanotsauka pamitemo yenyu nokuti varevi venhema, vanyengedzi. Munoshora vakaipa samagufu, nokudaro ndinoda mitemo yenyu. Ndinodedera nokukutyai; ndinotya kutonga kwenyu. Ndakaita zviri pamutemo uye zvakarurama musandisiye mumaoko avanondidzvinyiriri vangu. Aini Tsidzai kuti ndimi muchabatsira ini muranda wenyu. Musarege vanozvikudza vachindidzvinyirira. Meso angu aneta nokutarisira ruponeso rwenyu nokuzadzikiswa kwechitsidzo chenyu chakarurama. Ndiitireiwo mwoyochena mundidzidzisewo mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndizive mitemo yenyu. Yasvika zvino nguva TENZI yokuti muchiwana zvamunoita nokuti mutemo uri kutyorwa. Naizvozvo ndinoda mitemo yenyu kupinda ndarama, kupinda ndarama yakanakisisa. Nezvo nemitemo yenyu ndinowana nzira kwayo, ndinovenga maitiro ose ounyengedzi. Mitemo yenyu yakanaka kwazvo ndokusaka ndichiichengeta. Shoko renyu parizvino ratambanuka, rinopa chiedza, rinopa vanhuwo zvavo kunzwisisa. Ndinofemereka ndakashama muromo nokuti ndinodisisa mitemo yenyu. Ndicheuke mundiitirewo zvakanaka zvamunongoita kuna vanoda zita renyu. Ndisimbisei tsoka sokutsidza kwamakaita uipi hurege kunditonga. Ndinunureiwo kuvadzvinyiriri kuitira kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndiitireiwo mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu, mundidzidzise mirau yenyu. Maziso angu anosvimha misodzi nokuti vanhu havachengeti mutemo wenyu. TENZI makarurama uye kutonga kwenyu kwakarurama. Tsadhe Makatema mirau yakarurama, iri pachokwadi chaipo. Ndinobaiwa mwoyo neshungu nokuti vavengi vangu vanokanganwa zvavo mazwi enyu. Chitsidzo chenyu ndechepachokwadi chaicho uye muranda wenyu anochida. Ndiri muduku zvangu uye ndinoshorwa asi handikanganwi mirau yenyu. Ururami hwenyu hwakarurama nokusingaperi uye mutemo wenyu ndewechokwadi. Nhamo nokurwadziwa mwoyo zvandiwira, asi ndinofarira mutemo wenyu. Mitemo yenyu yakarurama nokusingaperi ndipeiwo kunzwisisa ndirarame. Ndinochema nemwoyo wangu wose, ndipindureiwo TENZI ndichengete zvirevo zvenyu. Kofu Ndinochema kwamuri, ndiponeseiwo kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndinotangira mambakwedza kumuka ndichikumbira rubatsiro, chitarisiro changu chiri mumashoko enyu. Ndinenge ndatosvinura maziso nguva inotsinhanha varindi isati yasvika kuti ndidzamise pfungwa nezvezvitsidzo zvenyu. Nemwoyochena wenyu, inzwai kuchema kwangu, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza vari kuuya kwandiri nepfungwa dzakaipa, vari kure nomutemo wenyu. Asi imi muri padyo TENZI uye mitemo yenyu ndeyechokwadi. Ndakaziva kare zvemitemo yenyu kuti makaidzika nokusingaperi. Tarisaiwo kutambura kwangu mundinunurewo nokuti handikanganwi mutemo wenyu. Reshi Ndimiririreiwo mundinunure, ndiraramiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ruponeso rwuri kure navakaipa nokuti havana hanya nemitemo yenyu. Tsitsi dzenyu dzakawanda, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza navanondirwisa vakawanda asi handitsauki pamitemo yenyu. Ndinotarisa vanyengedzi ndichivasema nokuti havachengeti mitemo yenyu. Rangarirai mudiro wandinoita mitemo yenyu, nemwoyochena wenyu ndichengetereiwo upenyu hwangu. Chokwadi ndicho mwoyo weshoko renyu uye zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, zvinogara nokusingaperi. Machinda anonditambudza pasina chikonzero asi ini chandinoremekedza zvikuru mumwoyo mangu, mashoko enyu. Shini Ndinofadzwa neshoko renyu somunhu awana zvokupamba zvakawanda. Ndinovenga uye ndinosema nhema asi ndinoda mutemo wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama. Vanoda mutemo wenyu vane rugare rukuru. Hapana chinovaita kuti vadzadzarike. Ndinotarisira ruponeso rwenyu, TENZI uye ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinochengeta mitemo yenyu uye ndinoida zvikuru kwazvo. Ndinochengeta mitemo yenyu nemirawo yenyu nokuti nzira dzangu dzose munodziziva. Regai chichemo changu chisvike kwamuri TENZI regai ndinzwisise sokutsidza kwamakaita. Tau Regai munamato wangu usvike kwamuri mundinunurewo sokutaura kwenyu. Muromo wangu uchakurumbidzai nokuti munondidzidzisa mirao yenyu. Shoko renyu richava rumbo parurimi rwangu nokuti mitemo yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu ngarugaririre kundibatsira nokuti changu ini chandakasarudza mitemo yenyu. Ndinosuwira ruponeso rwenyu TENZI uye ndinofarira mutemo wenyu. Ndiraramisei kuti ndikurumbidzei zvirevo zvenyu ngazvindibatsire. Ndatetereka sehwai yarasika Nditsvakei ini muranda wenyu nokuti handikanganwi mitemo yenyu. Munamato wokukumbira rubatsiro Munhamo yangu ndakachema kuna TENZI kuti andipindure. Ndinunureiwo TENZI kumiromo inotaura nhema, kururimi runonyengedza. Shamhu yauchapiwa ndeipi, chimwe chauchaitwa chii, iwe murevi wenhema? Miseve yavarwi yakapinza namazimbe anopfuta omuti womutsvairo. Rushambwawo rwokuti ndinogara muMesheki ndichigara mumatendhe okuKedhari. Ndagarisa pakati pavanhu vanovenga rugare chandinoda ini rugare; asi ndikati nditaure ivo vavakutoda zvehondo. TENZI muchengeti wavanhu Ndinosimudzira meso angu kumakomo. Kunobva rubatsiro rwangu ndokupi? Rubatsiro rwangu runobva kuna TENZI akasika denga napasi. Haaregi tsoka yako ichitsvedzemuka iye anokuchengeta haatsomwaire nehope. Onai iye anochengeta Isiraeri haatsomwaire nehope kana kukotsira. TENZI ndiye muchengeti wako TENZI ndiye mumvuri wako kurudyi rwako. Zuva harikupisi masikati kana mwedzi nousiku. TENZI achakudzivirira kune zvakaipa zvose achachengeta upenyu hwako. TENZI achakuchengeta kubvira paunobuda kusvika paunodzoka kubvira zvino nokusingaperi. Rwiyo rwokukwira narwo kumusoro. Ndakafara pavakanditi, “Handei kuimba yaTENZI.” Zvino tsoka dzedu dzatsika pamisuo yako iwe Jerusaremu Jerusaremu yakavakwa seguta rakabatana, rakasungana pamwechete. Ndiko kunokwira marudzi, marudzi aTENZI sokutemwa kwazvakaitirwa Isiraeri kundotenda zita raTENZI. Imomo ndimo makagadzikwa zvigaro zvokutongera, zvigaro zvoumambo zvemba yokwaDhavhidhi. Kumbirirai Jerusaremu rugare, vanokuda ngavabudirire. Murusvingo rwako ngamuve norugare uye kubudirira kuve mumuzinda yako. Pamusana pehama dzangu neshamwari dzangu ndinoti, “Rugare ngaruve mauri.” Pamusana pemba yaTENZI Mwari wedu ndinonamata kuti zvikufambire zvakanaka. Munamato wokukumbira kuitirwa nyasha Ndinotarisa kumusoro kwamuri kudenga kwamugere pachigaro chenyu choumambo. Sezvinoita varanda kutarisa maoko avatenzi vavo uye sezvinoita murandakadzi kutarisa maoko avatenzikadzi vake nesuwo tinotarisa kuna TENZI Mwari wedu kusvikira atinzwira tsitsi. Tinzwireiwo tsitsi TENZI, tinzwireiwo tsitsi. Kushorwa kwatakaitwa kwakawandisa. Tafinhwa isu nokushorwa navakagarika kuzvidzwa navanhu vanozvikudza. Mwari mudziviriri wavanhu vake Dai pasina kuti TENZI aiva kudivi kwedu Isiraeri ngaiti, “Dai pasina kuti TENZI aiva kudivi kwedu patakamukirwa navanhu, vangadai vakatimedza tiri vapenyu pavakativirukira nehasha. Ipapo mafashamo emvura angadai akatiyeredza, mapopopo angadai akatitsvaira. Mvura ine simba ingadai yakatiti fushe fushe.” TENZI ngaarumbidzwe asina kutirega tichiwira mukanwa mavo senyama. Takapunyuka seshiri pamusungo wavatei veshiri, musungo wadambuka tikapunyuka. Rubatsiro rwedu rwuri muzita raTENZI akasika denga napasi. Mwari ndiye anochengetedza vanhu vake Vanovimba naTENZI vakafanana negomo reZioni risingazunguziki, rinogara nokusingaperi. Sezvakangoita makomo akatenderedza Jerusaremu, ndizvo zvakaita TENZI akatenderedzawo vanhu vake kubvira zvino kusvika nokusingaperi kose. Hapana anoumambo hwakaipa achagara munyika yakasarudzirwa vakarurama, vakarurama vangadaro vakazopinda mukuita zvakaipa. TENZI itai zvakanaka kuna vakanaka uye kuvanhu vari pachokwadi mumwoyo mavo. Asi vanotsaukira kunzira dzavo dzakaipa TENZI achavatinha pamwechete navakaipa Isiraeri ngaive norugare. Kukumbira kununurwa TENZI paakadzosa isu vatapwa kuJerusaremu taiita savanhu vari kurota. Takaoma mbabvu nokuseka, takadzivira nzeve nomupururu. Vechirudzi ndopavakati, “TENZI akavaitira zvinhu zvikuru.” Honguwo TENZI akatiitira zvinhu zvikuru. Tinofara. Dzosai vatapwa vedu TENZI sezvinoita mafashamo emvura muNegevhu. Vanodyara nemisodzi, vachakohwa vachipururudza nomufaro. Vanoenda vachichema vakatakura mbeu dzondokudyara, vachazodzoka kumusha vachipururudza nomufaro vakatakura zvisote zvavo. Kuvimba nerubatsiro rwaMwari Kana TENZI asina kuvaka imba, vanoivaka vanoshandira pasina kana TENZI asina kuchengetedza guta Varindi vanorindira pasina. Kufumomuka kwenyu nokunonoka kundorara munozviitira pasina chimuko muchionera nhamo chamunodya nokuti anopa kune wake wapamwoyowo arere zvake. Tarisai muone kuti vana inhaka inobva kuna TENZI, muchero wenhumbu mubayiro wacho. Vana vopaujaya vakafanana nemiseve iri muchanza chomurwi. Akakomborerwa zvake munhu ane goba rizere navo. Haambonyaranyara paanotaura nomuvengi wake padare. Mubayiro womunhu akatendeka Akakomborerwa munhu wose anotya TENZI anofamba mumakwara ake. Uchadya muchero webasa rako, uchafara uye zvichakufambira zvakanaka. Mudzimai wako achaita somugirepisi unobereka muchero mumba mako, vana vako vachaita samabukira omuorivhi vakatenderedza tafura yako. Ndiko kukomborerwa kuchaita munhu anotya TENZI. TENZI ngaakukomborere ari muZioni uone kubudirira kweJerusaremu upenyu hwako hwose uone vana vavana vako. Rugare ngaruve neIsiraeri. Kunamatira vavengi veIsiraeri kuti vakauriswe Vakanditambudza zvikuru kubvira pahuduku hwangu Isiraeri ngaitaure kudaro kuti, “Vakanditambudza zvikuru kubvira pauduku hwangu asi havana kundikurira. “Varimi vakarima musana wangu vakaita mihoronga mirefu. “TENZI akarurama akadambura tambo dzavakaipa.” Vose vanovenga Zioni ngavanyadziswe vadzoserwe shure. Ngavaite souswa huri padenga remba hunouna husina kukura husingazari muchanza chomukohwi. Kana kukodzera kuti musungi wezvisote angabangohubungatira. Vapfuuri nenzira havamboti, “Chikomborero chaTENZI ngachive pauri. Tinoti ukomborerwe muzita raTENZI.” Munamato wokukumbira rubatsiro Ndakadanidzira kwamuri TENZI ndiri makadzika. TENZI inzwai izwi rangu, rerekerai nzeve dzenyu kuizwi romunamato wangu. Kana imi TENZI mukapfundira zvivi ndiani angapamire. Asi imi munorengerera kuitira kuti muremekedzwe. Ini ndinomirira TENZI, mweya wangu unomirira, ndinovimba neshoko rake. Ndinomirira TENZI kupinda kumirira kuita varindiri mambakwedza, kupinda varindiri mambakwedza. Isiraeri ngaitarisire kuna TENZI nokuti TENZI ane mwoyochena; maari mune ruponeso rwakawanda. Achaponesa Isiraeri kuzvivi zvayo zvose. TENZI ini handizvitutumadzi zvokuvhaira handichavhaira. Handiite mwoyo nezvinhu zvikurukuru kana zvinonyanya kushamisira kwandiri. Ndakazvidzikamisa ndikazvitonhodza somwana anoyamwa, ndozvandakaita somwana anonyaradzwa ndozvandakaita. Iwe Isiraeri tarisira kuna TENZI kubvira zvino kusvikira nokusingaperi. Kuunzwa kweBhokisi reChitenderano noumbowo hwaDhavhidhi TENZI rangarirai Dhavhidhi nenhamo dzose dzaakatiirira nokutsidza kwaakaita kwamuri TENZI nemhiko yaakaita kunemi Samasimbaose waJakobho kuti, “Handipindi mumba mangu kana kurara pamubhedha wangu. Handibvumiri maziso angu kukotsira kana mafungiro amaziso angu kutsomwaira dzamara ndawanira TENZI nzvimbo, nzvimbo yokugara yaSamasimbaose waJakobho.” Takanzwa nezvaro kuEfurata, takariwana mumunda waJaari. Handei kwaanogara, tindopfugamira pachitambarariko chetsoka dzake. Simukai TENZI muende, kunzvimbo yenyu yokuzorora imi nebhokisi renyu rechitenderano rine simba. Vapristi venyu ngavapfeke ururami vatsvene venyu vapururudze norufaro. Pamusana pomuranda wenyu Dhavhidhi musarambe muzodzwa wenyu, nokuti TENZI akapika kuna Dhavhidhi, akatsidza mhiko yechokwadi yaasingakandi pasi, achiti, “Mumwe mwana weropa rako ndichamugadza pachigaro chako choumambo. Kana vana vako vakachengeta chitenderano changu nemitemo yangu yandichavadzidzisa vana vavo vachagarawo pachigaro chako choumambo nokusingaperi.” Nokuti TENZI akasarudza Zioni akada kuti ive nzvimbo yake yokugara achiti, “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokugara nokusingaperi ndichagara pano nokuti ndakaida. Ndichaikomborera nezvokudya zvakawanda ndichagutsa varombo vayo nechokudya. Ndichapfekedza vapristi vavo nezvinopa ruponeso vatsvene vavo vachapururudza norufaro. Ndichamutsirawo Dhavhidhi mambo ane simba, ndakagadzirira muzodzwa wangu mwenje. Vavengi vake ndichavafukidza nokunyara asi umambo hwake huchabhebha.” Kudanana kwehama nehama Tarirai muone kufadza kwazvinoita kana hama nehama dzichidyidzana. Zvakafanana namafuta anokosha ari mumusoro anoyerera pandebvu, pandebvu dzaAroni achiyerera pamakutu egemenzi rake. Zvakafanana nedova regomo reHerimoni dova rinowira pamusoro pamakomo eZioni nokuti chikomborero chakanzi naTENZI chivepo nokusingaperi. Munamato wamauro wokurumbidza TENZI Uyai tirumbidze TENZI imi mose varanda vaTENZI imi munoshanda nousiku mumba maTENZI. Simudzirai maoko enyu kunzvimbo inoera murumbidze TENZI. TENZI ngaakukomborerei ari muZioni iye akasika denga napasi. Areruya Rumbidzai zita raTENZI. Imi varanda vaTENZI rumbidzai mumipanda yemba yaMwari wedu. Rumbidzai TENZI nokuti akanaka imbirai zita rake nokuti ane mwoyo wakanaka. TENZI akazvisarudzira Jakobho, Isiraeri achimuita wake nokuti ndinoziva kuti TENZI mukuru uye kuti TENZI wedu mukuru kupinda vamwari vose. Zvose zvinodiwa naTENZI anogona kuzviita kudenga kana panyika mugungwa kana makadzika. Ndiye anosimudza makore kwakaperera nyika, anopenyesa mheni yemvura; anoburitsa mhepo mumatura ake. Ndiye akauraya matangwe eIjipiti, avanhu neemhuka. Ndiye akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako iwe Ijipiti achirwisa Farao navaranda vake vose. Akaparadza marudzi mazhinji; akauraya madzimambo ane simba anoti: Sihoni mambo wavaAmori naOgu mambo weBhashani noumambo humwe nohumwe hwose hweKenani. Akapa nyika yavo senhaka, senhaka kuvaIsiraeri, vanhu vake. Zita renyu TENZI rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu kusvika kuzvizvarwa nezvizvarwa. TENZI acharwira vanhu vake uye achaitira ngoni varanda vake. Zvifananidzo zvevechirudzi, isirivha nendarama zvakaitwa namaoko avanhu, zvine miromo asi hazvitauri, zvina maziso asi hazvioni zvine nzeve asi hazvinzwi, uye hazvifemi nomuromo wazvo. Vanozviumba vachafanana nazvo, vachafananawo nazvo vanovimba nazvo. Imi imba yokwaIsiraeri rumbidzai TENZI imi imba yokwaAroni rumbidzai TENZI imi imba yokwaRevhi rumbidzai TENZI imi munotya TENZI rumbidzai TENZI. TENZI ngaarumbidzwe muZioni iye anogara muJerusaremu Areruya. Tendai TENZI nokuti wakanaka mwoyochena wake hauperi. Tendai Mwari wavamwari mwoyochena wake hauperi. Tendai TENZI wavatenzi mwoyochena wake hauperi. Iye oga anoita zvishamiso zvikuru mwoyochena wake hauperi. Iye akasika matenga nokunzwisisa kwake mwoyochena wake hauperi. Iye akawarira nyika pamvura mwoyochena wake hauperi. Iye akasika mazivheneko makuru mwoyochena wake hauperi. Zuva kuti ritonge masikati, mwoyochena wake hauperi. Mwedzi nenyenyedzi kuti zvitonge usiku mwoyochena wake hauperi. Iye akauraya matangwe eIjipiti mwoyochena wake hauperi. Akaburitsa Isiraeri mukati mavo mwoyochena wake hauperi. Noukuru hwake nesimba guru roruoko rwake mwoyochena wake hauperi. Iye akapararanisa Gungwa Dzvuku mwoyochena wake hauperi. Akapfuudza Isiraeri nepakati paro mwoyochena wake hauperi. Akakurira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku mwoyochena wake hauperi. Iye akatungamirira vanhu vake nomurenje mwoyochena wake hauperi. Iye akauraya madzimambo makuru mwoyochena wake hauperi. Akauraya madzimambo anomukurumbira mwoyochena wake hauperi. Sihoni mambo wavaAmori mwoyochena wake hauperi naOgu mambo weBhashani mwoyochena wake hauperi akapa nyika yavo senhaka mwoyochena wake hauperi nhaka kuna Isiraeri muranda wake mwoyochena wake hauperi. Ndiye akatiyeuka patakanga tasvika pakadzama mwoyochena wake hauperi. Akatinunura kuvavengi vedu mwoyochena wake hauperi. Iye anopa chokudya kuzvinhu zvose zvipenyu mwoyochena wake hauperi. Tendai Mwari wokudenga mwoyochena wake hauperi. Pedyo nehova dzeBhabhironi taigarapo tichichema patainge tafunga Zioni. Taipaikira zvipendani zvedu pamisambagwena ikoko. Ipapo vatapi vedu vaitikumbira dzimbo, varwadzisi vedu vaiita musara nesu vachiti, “Tiimbirei rumwe rumbo rweZioni.” Ko taigoimba sei rumbo rwaTENZI munyika yavatorwa. Kana ndikakukanganwa iwe Jerusaremu ruoko rwangu rworudyi ngaruune. Rurimi rwangu ngarubve rwanamira kumusoro kwomukanwa mangu, kana ndikarega kukurangarira kana ndikarega kutora Jerusaremu somufaro wangu mukurusa. Yeukai TENZI nezvevekwaEdhomu pazuva reJerusaremu pavaiti ngarikoromorwe, ngarikoromorwe, rikoromorwe kusvika paugaro hwarwo. Iwe Bhabhironi muparadzi akakomborerwa zvake anotsividza zvawakatiitira. Akakomborerwa anotora pwere dzako achidzipwanyira padombo. Rumbo rwokutenda Ndinotenda TENZI nomwoyo wangu wose ndinokurumbidzai vamwari vachizviona. Ndinokotamira ndakananga kutemberi yenyu tsvene ndichitenda zita renyu nemwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu nokuti makaisa zita renyu neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose. Pandakachema makandidavira, mukandisimbaradza. Madzimambo apasi pose achakurumbidzai TENZI nokuti akanzwa mashoko omuromo wenyu vachaimba vachikudza maitiro aTENZI nokuti mbiri yaTENZI ihuru. Kunyange zvazvo TENZI ari kumusoro ane hanya navanozvidukupisa, asi vanozvitutumadza anovazivira kurekure. Kunyange ndikafamba zvangu mukati mematambudziko, imi munochengeta upenyu hwangu, ruoko rwenyu rwesimba runorwisana navavengi vangu vane hasha ruoko rwenyu rworudyi runondinunura. TENZI achazadzisa chinangwa chake mandiri mwoyochena wenyu TENZI hauperi musarase basa ramaoko enyu. Mwari anoziva zvose TENZI makandiongorora mukandiziva. Munoziva mafambiro namagariro munonzwisisa pfungwa dzangu imi muri kure zvenyu. Imi munocherechedza kufamba kwangu nokurara kwangu uye munoziva nzira dzangu dzose, nokuti izwi risati rambove parurimi rwangu, imi TENZI munenge matonyatsoriziva. Munondikomberedza mberi neshure muchitoisa ruoko rwenyu pandiri. Ruzivo rwakadaro runondishamisa zvakanyanyisisa, rwuri pamusoro handimbokwanisa kuruwana. Kwandingaende ndokupiko, kusina Mweya wenyu uye ndingatizire kupiko kwamusiri nokuti ndikati ndiende kudenga imi muriko? Ndikati ndiwarire uvato hwangu kunzvimbo yavakafa imi muriko, ndikati regai ndipepereke nemhepo yorungwanani ndichindogara kwakaperera gungwa, kunyange ikoko ruoko rwenyu ndirwo ruchanditungamirira makandibata noruoko rwenyu rworudyi. Ndikati nditi rima rindifukidze uye kuti chiedza chiri pandiri chive usiku kunyange rima harina kusviba kwamuri, usiku hwakachena samasikati. Kwamuri rima nechiedza zvakangofanana. Nokuti ndimi makaumba nhengo dzangu dzomukati-kati. Ndimi makandiruka munhumbu maamai vangu. Ndinokurumbidzai nokuti munotyisa uye munoshamisa. Mabasa enyu anoshamisa munonyatsondiziva. Zvandiri zvakanga zvisina kuvanzika kwamuri pandaiumbwa muchivande, ndichinyatsosonanidzwa pasi pasi chaipo penyika. Makandiona nemeso nhengo dzangu dzisati dzaumbwa. Dzakanga dzanyorwa mubhuku menyu dzikazoumbwa panguva yadzo kusvikira dzose dzapera. Hakusi kukosha kwakaita pfungwa dzenyu kwandiri TENZI uye hakusi kukura kwadzakaita. Dai kuri kuti ndinodziverenga, dzakawanda kupinda jecha. Pandinomuka ndinenge ndisati ndambopedza nemi. Dai muchingouraya zvenyu vakaipa, Mwari uye kuti mhondi dzisudurukane neni vanhu vanotaura vachikushorai zvakaipa vanokumukirai zvakaipa. Vanokuvengai TENZI handivavengi here ini? Handivengi here vanokumukirai, TENZI? Ndinovavenga zvokuvavenga zviya, vanotovawo vavengi vangu. Ndiongororeiwo Mwari muzive zviri mumwoyo mangu. Ndiedzei muzive zvandinofunga muone kana mune chakaipa mandiri munditungamirire munzira yokugara nokugara. Munamato wokukumbira kudzivirirwa Ndinunurei TENZI kuvanhu vakaipa ndichengeteiwo kuvanhu vanokuvadza vamwe vanhu vanorangana zvakaipa mumwoyo mavo, vanogara vakamutsa hondo. Vanorodza rurimi rwavo serwenyoka; pasi pemiromo yavo pane uturu hwechiva. Dzepfunde. Ndichengeteiwo TENZI ndirege kuwira mumaoko avakaipa ndichengeteiwo kuvanhu vanokuvadza vamwe vakaronga kupingirisha makumbo angu. Vanhu vanozvikudza vakanditeya zvakavanda, vakawarira misungo munzira samambure, vakanditeya nomusungo munzira. Dzepfunde. Ndinoti kuna TENZI, “Ndimi Mwari wangu inzwaiwo izwi rokukumbira kwangu, TENZI.” TENZI Mwari wangu, mununuri wangu ane simba, makadzivirira musoro wangu pazuva rehondo. Musape vakaipa zvavanoda, musaite kuti zvavanoronga zvibudirire. Dzepfunde Kana vanondikomba vava kusimudza misoro, zvavakarangana nemiromo yavo ngazvivapfukire. Ngavawirwe namazimbe omoto unopisa, vakandwe muhunza mavasingazombobuda. Munyombi ngaarege kudzika midzi munyika, zvakashata ngazviwire nokukurumidza munhu anokuvadza vamwe. Ndinoziva kuti TENZI anomiririra nyaya dzavarombo uye anoitira zvinoruenzaniso vasina chavanacho. Vakarurama vachatotenda zita renyu; vari pachokwadi vachagara panemi. Mururami anochema kuna Mwari pakati pavakaipa Ndinodanidzira kwamuri TENZI kurumidzai kuuya kwandiri. Teererai izwi rangu pandinodanidzira kwamuri. Munamato wangu ngauite serusenzi kwamuri uye kusimudza kwandinoita maoko kuite sechibayiro chamanheru. Batai muromo wangu TENZI; chengetedzai musuwo womuromo wangu. Regai kurerekesa mwoyo wangu kune chinhu chakaipa kuti ndiite zvinhu zvakaipa, pamwechete navanhu vanoita zvakaipa regai kuti ndidye twunonaka twavo. Wakarurama angandirove zvake, kana kunditsiura zvakanaka, asi mafuta avakaipa asatombozora zvao musoro wangu nokuti munamato wangu unogara wakanangana nezvakaipa zvavo. Kana vaiswa mumaoko avanhu vanovabata nemhosva, ndipo pavachadzidza kuti mazwi aTENZI ndeechokwadi. Sokutsemura kunoita munhu dombo achiripwanyira pasi, saizvozvowo mapfupa avo achanzi mwarara pamusuo weguva. Asi maziso angu anotarisa kwamuri Mwari TENZI; ndinopotera kwamuri musandisiye ndiri pamhene. Ndidzivirireiwo kumisungo yavakanditeya nayo uye kumariva avaiti vezvakaipa. Vaipi ngavawire mumambure avo pamwechete ini ndichipunyuka. Nhetembo yaDhavhidhi paaiva mubako munamato. Ndinochema zvinonzwika kuna TENZI; nezwi rangu ndinotsvitsa chichemo changu kuna TENZI. Ndinodurura nhuna dzangu pamberi pake. Ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake. Kana mweya wangu washaya simba imi munoziva nzira yandinofanira kutora munzira yandinofamba vakanditeera musungo. Tarisai zvenyu kurudyi muone kuti hakuna anombondionawo, hakuna kwokupotera, hapana ane hanya neni. Ndinochema kwamuri TENZI ndichiti ndimi diziro rangu; nhaka yangu munyika yavapenyu. Chinzwai kuchema kwangu nokuti ini ndapera simba; ndiponeseiwo kuvanhu vanonditambudza nokuti vane simba kupinda ini. Ndiburitseiwo mujeri kuti nditende zita renyu vakarurama vachandikomberedza pamusana pokundiitira zvakanaka kwenyu. Kukumbira rubatsiro Inzwai munamato wangu TENZI; teererai chichemo changu. Ndipindureiwo nokutendeka kwenyu noururami hwenyu. Musapinze ini muranda wenyu dare nokuti hapana mupenyu akarurama pamberi penyu, nokuti muvengi ari kundironda; andibvumburudza muvhu. Akaita kuti ndigare murima savakafa kare kare. Ndokusaka ndapererwa nesimba, ndadzongodzwa mwoyo ini. Ndinoyeuka mazuva akare, ndinorangarira zvose zvamakaita ndinofungisisa zvakaitwa namaoko enyu. Ndinosimudzira maoko angu kwamuri mweya wangu une nyota nemi sapasi pakaoma. Dzepfunde. Kasikai kundipindura TENZI ndapererwa ini, musavanze uso hwenyu ndingadaro ndikaita savaya vanoenda kuguva. Regai ndinzwe nezvemwoyochena wenyu mangwanani nokuti ndinovimba nemi. Ndidzidziseiwo nzira yandingafambe nayo, nokuti ndinosimudzira pfungwa nemwoyo wangu kunemi. Ndinunureiwo kuvavengi vangu TENZI ndinopotera kwamuri. Ndidzidziseiwo kuita kuda kwenyu nokuti ndimi Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire nomunzira yakati sandara. Ndichengetedzeiwo ndiri mupenyu nokuda kwezita renyu, pamusana poururami hwenyu, ndiburitseiwo mumatambudziko. Pamusana pomwoyochena wenyu, paradzai vavengi vangu, muparadze mhandu dzangu dzose nokuti ndiri muranda wenyu. Munamato wamambo wokutenda Ngaarumbidzwe TENZI dombo rangu, anodzidzisa maoko angu hondo uye minwe yangu kurwisa. Ndiye dombo rangu nenzvimbo yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo, ndiye nhare yangu nomununuri wangu. Ndiyewo nhoo yangu nediziro rangu iye anoisa vanhu pasi pangu. Nhai TENZI iye munhu chiikowo zvake wamunorangarira iye munhuwo zvake wamunofunga. Munhu akaita sefemo, mazuva ake akaita somumvuri unopfuura. Kotamisai matenga enyu muburuke TENZI, batai makomo apfumbuke utsi. Penyesai mheni muvamwararise; tumai miseve yenyu muvadzipure. Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro ikoko mundinunure, mundiponese mumvura zhinji, mumaoko avatorwa vane miromo inoreva nhema vane ruoko rworudyi ruoko rwerudyi rwokutsidza narwo nhema. Ndichakuimbirai rwiyo rutsva, Mwari ndichikuridzirai dimbwa rine gumi retambo. Imi munoita kuti madzimambo akurire imi makanunura Dhavhidhi muranda wenyu. Ndinunurei kubakatwa rehondo youtsinye; mundinunure mumaoko avatorwa, vanhu vanotaura manyepo vano ruoko rwavo rworudyi, ruoko rworudyi rwokutsidza narwo nhema. Tinokumbirawo kuti vana vedu vakomana, kubvira pauduku hwavo vaite sezvinomera zvakasvika, vana vedu vasikana vave sembiru dzapamakona dzakavezerwa kuvaka muzinda. Matura edu ngaazare apote achiwanisa vanhu zvinhu zvose. Hwai dzedu dzibereke gumi nefararira mumafaro muve namazana akazanirana. Mombe dzedu ngadzive navana vakawanda, pasina isingabereki kana inosvodza. Parege kuva nokuungudza mumigwagwa yedu. Rwakakomborerwa rudzi rwakadaro, rwakakomborerwa rudzi runa TENZI samwari warwo. Rumbo rwokurumbidza Mwari mambo Ndinokukudzai Mwari wangu namambo wangu, ndicharumbidza zita renyu narini narini. Ndichakurumbidzai mazuva ose ndichikudza zita renyu narini narini. TENZI mukuru uye anofanira kurumbidzwa zvikuru; ukuru hwake haugoni kutsvagurudzwa hukawanikwa. Chizvarwa chicharumbidza kune chimwe chizvarwa mabasa enyu uye chichaparidza zviito zvesimba renyu. Ndichanyatsofungisisa nezvomukurumbira woumambo hwenyu husingaitiki uye nezvamabasa enyu anoshamisa. Vanhu vachataura nezvesimba rezvamunoita zvinotyisa; ini ndicharondedzera ukuru hwenyu. Vachakurukura kwazvo mukurumbira wokunaka kwenyu kukuru uye vachaimba zvikuru nezvokururama kwenyu. TENZI akanaka uye ane tsitsi, haakurumidzi kushatirwa uye azere nemwoyochena. TENZI akanaka kumunhu wose uye ane tsitsi nechose chaakasika. Zvose zvamakasika zvichakutendai TENZI uye vatsvene venyu vose vachakutunhidzai; vachataura nezvembiri youmambo hwenyu vachikurukura nezvesimba renyu, kuzivisa vanhu simba ramabasa enyu uye mukurumbira woumambo hwenyu husingaitiki. Umambo hwenyu umambo hwokugara nokugara kutonga kwenyu kunogara kwezvizvarwa nezvizvarwa. TENZI anotendeka pane zvose zvaanotaura uye zvaanoita zvose anozviita nemwoyochena. TENZI anotsigira vanenge vavakuputsika uye anosimudzira vanenge varasiswa mwoyo. Meso ose anotarisa kwamuri imi muchivapa chokudya chavo nenguva yakafanira. Munotambanudza ruoko rwenyu muchigutsa nezvinodiwa nechinhu chose chipenyu. TENZI akarurama panzira dzake dzose uye ane mwoyochena pane zvose zvaanoita. TENZI ari pedyo navanodanidzira kwaari kuna vose vanodanidzira kwaari muchokwadi. Anozadzisa zvido zvavanomutya uye anonzwa kuchema kwavo achivaponesa. TENZI anochengetedza vose vanomuda asi vakaipa vose anovaparadza. Muromo wangu uchataura uchirumbidza TENZI vanhu vose ngavarumbidze zita rake rinoera narini narini. Rumbidza TENZI rumbidza TENZI iwe mweya wangu. Ndicharumbidza TENZI chero ndichiri mupenyu, ndichaimba ndichirumbidza Mwari wangu ndichiri mupenyu. Usavimbe namachinda, kuvimba nomunhu asina chaanobatsira. Mweya wake paunobuda, anodzokera kuvhu rake, pazuva iroro zvirongwa zvake zvinobva zvaparara. Akakomborerwa zvake munhu anobatsirwa naMwari waJakobho anovimba naTENZI Mwari wake akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo anochengeta chitsidzo chake nokusingaperi. Anoona kuti vakadzvinyirirwa vaitirwa zvino ruenzaniso anopa chokudya vane nzara TENZI anosunungura vasungwa. TENZI anosvinudza meso amapofu TENZI anosimudzira vanenge varasiswa mwoyo TENZI anoda vakarurama. TENZI anotarisa vatorwa anotsigira chirikadzi nenherera asi nzira yavakaipa anoiparadza. TENZI achatonga nokusingaperi, Mwari wako iwe guta reZioni, pazvizvarwa nezvizvarwa. Areruya. Rumbidzai TENZI, zvakanaka kuimba tichirumbidza Mwari wedu. Nokuti wakanaka uye zvakakodzera seiko kumuombera norumbo tichimurumbidza. TENZI anovakazve Jerusaremu, anounganidza vakaraswa vaIsiraeri. Anorapa vakarasa mwoyo, anosunga maronda avo. Ndiye akaronga uwandu hwenyenyedzi ndiye anodzidoma dzose namazita adzo. TENZI wedu mukuru uye ane simba rakawanda uye kunzwisisa kwake hakutauriki. TENZI anosimudzira vakadzvinyirirwa vakaipa anovaputsira pasi. Imbirai TENZI muchimutenda ridzirai Mwari wedu mumhanzi nechipendani. Anofukidza denga namakore; anonaisa mvura panyika; anokurisa uswa pamakomo. Ndiye anopa mhuka zvokudya zvadzo uye manyana amakunguo anochema. Haanei navanovimba nesimba ramabhiza, kana navanovimba navarwi vakasimba makumbo, asi TENZI anofadzwa navanomutya vanovimba nomwoyochena wake. Rumbidza TENZI, Jerusaremu; rumbidza Mwari wako iwe Zioni nokuti anosimbisa zvihuri zvemisuwo yako mikuru anokomborera vana vari mauri. Anopa nyika yako rugare, anokugutsa nembeswa dzakanakisisa. Anotuma chirevo kunyika, shoko rake rinobva ramhanya nokukasika. Anounza mazaya echando sewuru; anoparadzira mazaya echando chamangwanani sedota. Anokanda chivhuramahwe samavhinga; ndiani angatirire chando chake. Anongotaura izwi chete zvichibva zvanyongodeka, anovhuvhutisa mhepo yake mvura ichibva yayerera. Akataura mazwi ake kune vekwaJakobho nemirao nezvirevo zvake kuvaIsiraeri. Haana kumboita zvakadai norumwe rudzi. Havazivi zvirevo zvake. Areruya. Areruya. Rumbidzai TENZI kumatenga; murumbidzei kumusorosoro. Murumbidzei imi vatumwa vake vose; murumbidzei imi hondo dzake dzose. Murumbidzei imi zuva nemwedzi; murumbidzei imi nyenyedzi dzinopenya. Murumbidzei imi matenga okumusorosoro nemi mvura dzokumusoro kwamatenga. Ngazvirumbidze zita raTENZI nokuti akataura, izvo zvikabva zvasikwa. Akazvimisa panzvimbo yazvo nokusingaperi, akazvisiira miganhu yazvo yazvisingapfuuri. Pasi ngaparumbidzewo TENZI: imi mazigaranyanya nemi hwenje hose hwegungwa newe moto nechivhuramahwe namazaya echando namazaya echando chamangwanani nemi dutu remhepo rinoita zvaanoreva; imi makomo nezvikomo zvose, miti yemichero nemisidhari yose, imi zvikara nemi mombe dzose, imi zvinhu zvinokambaira, nemi shiri dzinobhururuka, nemi madzimambo apasi nemi vanhu vose, imi machinda nemi vatongi vose vapasi nemi majaya nemhandara pamwechete imi vakwegura nemi vana, rumbidzai zita raTENZI nokuti zita rake roga ndiro riri pamusorosoro, mukurumbira wake, denga napasi zvinosara pasi. Akaita kuti vanhu vake vave rudzi rune simba varurami vake vose ngavarumbidzwe ngavarumbidzwe vanhu veIsiraeri vari pedyo naye. Areruya. Areruya. Imbirai TENZI rumbo rutsva murumbidzei mugungano ravakarurama. Isiraeri ngaifare noMusiki wayo; vana veZioni ngavafare naMambo wavo. Ngavarumbidze zita rake vachitamba, vachiridza tambureni nezvipendani nokuti TENZI anofadzwa navanhu vake anokudza varombo nokuita kuti vakunde. Vakarurama ngavapembere kukurira. Ngavaimbe norufaro vari mumasofa avo. Ngavapururudze namagure pahuro vaine mapakatwa omucheka kose mumaoko. Kutsividza vechirudzi uye kuranga marudzi vachisunga madzimambo avo nengetani namachinda avo namakechemu esimbi kuti vavape chirango chakanyorwa. Iyi ndiyo mbiri yavakarurama vake vose. Areruya. Areruya. Rumbidzai Mwari munzvimbo yake inoera murumbidzei muziendanakuenda rake rine simba. Murumbidzirei mabasa ake ane simba, murumbidzei zvinowirirana noukuru hwake hwakakurisisa. Murumbidzei nehwamanda, murumbidzei nedimbwa nechipendani. Murumbidzei netambureni muchitamba murumbidzei nenyere namabhanjo. Murumbidzei namakwakwakwa, murumbidzei namakwakwakwa anorira kwazvo. Zvose zvinofema ngazvirumbidze TENZI. Areruya. Tsumo dzaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsiraeri dzokuti vanhu vazive ungwaru nezvidzidzo kuti vanzwisise mashoko ezvakadzama, dzinoitawo kuti munhu adzidze uchenjeri, ururami, noruenzaniso nokuva pachokwadi. Kuitirawo kuti vanhuwo zvavo vapiwe uchenjeri nevechidiki kufunga. Mungwaru achadzinzwawo agopamhidzira ruzivo anonzwisisa agowanawo mano. Kuri kuitira kuti munhu anzwisise tsumo namadimikira uye mazwi avangwaru nezvirahwe zvavo. Kutya Tenzi ndiko kutanga kworuzivo mapenzi anoshora ungwaru nechidzidziso. Mwanangu, teerera zvaunodzidziswa nababa vako. Usarambe zvaunorairwa naamai vako. Zvichava tsungare yokushongedza musoro wako nayo nechuma chokushongedza huro yako nacho. Mwanangu, vatadzi vakakunyengetedza kuita chinhu, usabvume. Kana vakati, “Uya tiende tindovandira vanhu tivauraye tindovhurumukira kuvarwisa vasina mhaka uye zvisina tsarukano sezvinoita nzvimbo yavafi tivamedze vari vapenyu vakangodaro sezvavakaita sezvinoita vanodzika muguva, tichawana zvose zvakakosha tigozadza dzimba dzedu nezvinhu zvokupamba, isa mugove wako kwatiri tive nechikwama chimwechete.” Mwanangu, rega kufamba munzira navo usarege tsoka yako ichienda munzira dzavo nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira kuuipi uye vanokurumidza kudeura munhu ropa nokuti hazvina zvazvinobatsira kuteya urimbo shiri dzichiona. Vanhu ivava kutozvivandira ikoko kuti ivo vafe vanovandira kuparara kwoupenyu hwavo pachavo. Iwoyu ndiwo mugumo wavose vanowana zvinhu nenzira isina kunaka zvinoparadza upenyu hwomuridzi wazvo. Ungwaru hunodanidzira mumugwagwa hunoshevedzera pamisika. Hunodaidzira zvikuru pamusoro petsvingo hunotaura mashoko ahwo huri kumusuo wedare reguta. Nhaimi vasinganzwisisi muchasvika rinhi musinganzwisisi? Imi vashori kusvikira rinhiko muchifarira kunyomba uye muri mapenzi asingadi ruzivo? Teererai zvandinokutsiurai ini ndichazvikwengura ipfungwa dzangu kwamuri ndikuzivisei mashoko angu ndinodaro nokuti ndakadaidzira asi makaramba kudavira. Ndakatambanudza ruoko asi hapana akambotirimuka. Hauna kumboita hanya nemazano angu makaramba kuti ndikutsiurei. Kana neniwo ndichakusekai mupfumvu yenyu ndikusveveredzei kana mabatwa nokutya, kana kutya kwakuvhungai sedutu pfumvu yakuwirai sechamupupuri kuora mwoyo nokurwadziwa kwamonerana nemi. Vachandidaidza asi ini handipinduri vachanditsvagisisa asi havandiwani. Nokuti vakavenga ruzivo uye havana kusarudza kutya Tenzi. Havana kuita hanya nemazano angu vakashora kuvatsiura kwangu. Ndizvozvo vachadya michero yemaitiro avo vagoguta netwavanonanga, nokuti vasinganzwisisi vanouraiwa nokutsauka kwavo kushaya hanya kwamapenzi kunoauraya. Asi anonditeerera anogarika achava pamutambaratede wokusambotya chinhu chakaipa. Mwanangu, ukagamuchira mashoko angu uye ukapfimbika mauri mitemo yangu, uchirerekera nzeve yako kuungwaru, uchitorwa mwoyo nenzwisiso nokungewo uchichemera kuzivisisa uchidaidza kunzwisisa ukatsvaka ungwaru sesirivha uchihutsvaka upfumi hwakavandika. Kutya Tenzi unobva wakunzwisisa uchibva wawana kuziva Mwari, nokuti Tenzi ndiye anopa ungwaru mukanwa make ndimo munobva ruzivo nokunzwisisa anochengetera vakarurama ungwaru chaihwo ndiye nhowo yokudzivirira vanofamba zvakarurama. Anochengetedza maitiro okutonga kwakarurama achichengetedza nzira yavarurami vake. Ndopaunozonzwisisa kuti ururami noruenzaniso nokuva pachokwadi chii uyewo maitiro ose akarurama nokuti uchapindura mwoyo noungwaru uye ruzivo ruchave shamwari yako. Kuziva kusarudza kuchakuchengetedza, kuziva chokusarudza kuchakutarira. Kuchakununura kunzira yakaipa kuvanhu vanotaura zvakaora, vanhu vanosiya nzira tsvene vachifamba munzira dzerima; vanofarira kuita zvakaipa vanonakirwa nokushata kwouipi; vanhu vane nzira dzakakombama vanokuita kwakamonyoroka. Zvinokununura kumukadzi asiwako kumukadzi asingazivikanwi twaanotaura norurimi rwake twunotapira mukadzi anosiya shamwari yake yepaudiki achikanganwa chitsidzirano chaMwari wake. Anonyudza pasi kurufu imba yake nzira dzake dzinodzika kuvafi. Wose anoenda kwaari haadzoki haazowanazve nzira youpenyu. Saka famba nenzira yavanhu vakanaka uchengetedze nzira dzavakarurama nokuti vakarurama ndivo vachagara panyika uye vanotendeseka vachararama mairi vakaipa vachabviswa panyika vanoujarijari vachatipurwapo. Mwanangu usakanganwe chidzidziso changu, mwoyo wako ngauchengete mitemo yangu nokuti zvichakupa mazuva mazhinji namakore oupenyu akawanda uye kugarika kukuru. Usasiane nokuvimbika nokutendeseka zvisungirire muhuro, zvinyore pachiredhi chemwoyo wako. Naizvozvo uchava nezita rakanaka uchifarirwa naMwari navanhu. Vimba naTenzi nomwoyo wako wose usavimbe nokuona kwako zvinhu nemazvo. Muzviito zvako zvose muzive, iye achatasanudza nzira dzako usazviite munhu anoziva itya Tenzi ufuratire uipi. Zvichakurapa muviri wako zvigonyava mapfupa ako. Remekedza Tenzi nezvaunazvo uye nembesanwa dzinotanga kuibva. Matura ako anobva azadzwa nezvakawanda makuvi ako ewaini anozopfachukira. Mwanangu usashore kudzidziswa kwaunoitwa naTenzi kana kuneta nokukutsiura kwaanoita nokuti Tenzi anotsiura wavanoda sezvinoita baba mwana waanoda. Akakomborerwa munhu anowana ungwaru, munhu anowana kunzwisisa, nokuti zvinowanikwa mahuri zviri nani pano zvinowanikwa musirivha uye zvibereko zvahwo zvinokunda zvibereko zvendarama. Ungwaru hwakakosha kukunda zvishongo, hapana chaungade chingaenzaniswe nahwo. Murudyi rwahwo muno upenyu hurefu muruboshwe mahwo muno upfumi norukudzo. Nzira dzahwo inzira dzinofadza uye maitiro ahwo ndoorugare. Muti woupenyu kuna vanohuwana. Vanohubatisisa vanonzi vakakomborerwa zvavo. Noungwaru Tenzi akadzika ugaro hwapasi akamisawo nokunzwisisa kwake denga. Noruzivo rwake akaita pasi-pasi patubuke mvura uye kuti makore adonhedze dova. Mwanangu chengeta ungwaru chaihwo uye kugona kusarudza ngazvirege kupunyuka maziso ako. Zvichava hupenyu hwako uye chishongo chomutsipa wako. Ipapo unozofamba nzira yako pasina chinokuwana tsoka yako haizogumburwi. Kana wagara hauzotya uye paunorara uchavata hope dzakanaka. Hauzotya chivhundumukira chezvinotyisa kana pfumvu yowira vaipi, nokuti Tenzi ndiye waunovimba naye. Iye achachengeta tsoka yako kuti irege kubatwa nomusungo. Usarege kuitira munhu anokodzera kuitirwa zvakanaka kana uchizvikwanisa. Usati kuno mumwe wako enda zvako uzouyazve, mangwana ndozokupa asi iwe uinacho. Usaronge kuitira mumwe wako zvakaipa anogara pamwechete newe achivimba newe. Rega kumutsana nomunhu pasina chiripo, asina chaakutadzira. Usaitire shanje munhu weganyavhu usasarudze kana imwe yenzira dzake nokuti Tenzi anosema munhu ano mwoyo wakaipa asi munhu ari pachokwadi munhu wake wapamwoyo. Tenzi anoita kuti imba yomunhu wakaipa iwirwe norushambwa asi dzimba dzavakarurama anodzikomborera. Vanoshora anovashorawo asi vanozvidukupisa anovaitira mwoyochena. Vangwaru vanowana mugove worukudzo asi mapenzi, chavo kuwanziridza kunyara. Chinzwai vanangu chidzidziso chababa muteerere kuti muone zvinhu nemazvo nokuti ndichakupai mirao yakanaka, musakande pasi zvandinokudzidzisai. Zvandaiva mukomana ndiina baba vangu, ndichiri mudiki, ndichingove ndini mwana mumwechete waamai vangu vakandidzidzisa vachiti, “Chengeta nomwoyo wose zvandinokutaurira chengeta mitemo yangu kuti urarame. Iva noungwaru uone zvinhu nemazvo usakanganwe, usatsauke pamashoko omuromo wangu. Usasiane noungwaru, ihwo huchakuchengeta hude, ihwo huchakuchengetedza. Chinhu chokutanga paungwaru, wana ungwaru. Pana zvose zvaungawane wana kunzwisisa.” Huremekedze zvikuru ihwo huchakusimudzira kana ukahumbundira. Hunokudzika tsungare yamaruva mumusoro hugokugadza ndaza yakanaka. Teerera mwanangu, utambire zvandinokutaurira kuti makore oupenyu hwako awande. Ndakakudzidzisa nzira dzoungwaru ndikakutungamirira mumakwara ukava pachokwadi. Kana wofamba, nhanho dzako hadzizovhiringidzwi, kana womhanya haugumburwi. Batisisa zvaunodzidziswa, usazvikande pasi, ramba wakazvichengeta nokuti ndihwo upenyu hwako. Usafambe namakwara avaipi kana kutevera nzira dzavakaipa. Siana nayo, usadimure nekwairi. Tsaukana nayo uinyenyeredze. Ndinodaro nokuti havakwanisi kuvata kana vasina kuita zvakaipa, havawane hope, kusvikira vatovhiringidza mumwe munhu, nokuti uipi ndicho chokudya chavo uye utsinye ndiyo waini yavanonwa. Gwara ravarurami rakaita samambakwedza anoramba achingochena kusvikira ava masikati makuru. Asi nzira yavakaipa yakaita sezarima havambozivi chinogumbura. Mwanangu teerera mashoko angu rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Ngazvirege kupunyuka ziso rako zvichengete mumwoyo mako nokuti upenyu kuna anozviwana uye zvinorapa nyama yake yose. Nyatsochengetedza mwoyo wako nomwoyo wose nokuti mauri ndimo mune zvisipiti zvoupenyu. Bvisa mauri muromo wenhema uye pamuromo pako kutaura zvisizvo. Kutarisa kwako ngakuti twasa, yeva zviri pamberi pako. Tanga wafunga nzira yauchafamba nayo. Nzira dzako dzigove muchechetere usatsaukire kurudyi kana kuruboshe tsoka yako ngairege kuenda kunezvakaipa. Mwanangu teerera ungwaru hwangu rerekera nzeve yako kumazwi angu okunzwisisa kuti uchengetedze kuziva kusarudza uye miromo yako ichengete ruzivo. Miromo yomukadzi asiwako inodonha uchi zvaanotaura zvinotsvedzerera kupinda mafuta asi pokupedzisira anokarakata segavakava akapinza sebakatwa rinocheka kose. Tsoka dzake dzinoenda kurufu nhanho dzake kuvafi ndiko kwadzo. Haambofungi nezvenzira inoeda kuupenyu, nzira dzake dzinopota-pota asi haazvizivi. Zvino vanangu ndinzwei musasiane namazwi omuromo wangu tambira kure naye usambosvika zvako pedyo nomusuo wemba yake. Ungadaro ukapa rukudzo rwako kunavamwe uye makore ako kuna vasina tsitsi vamwewo vanhu vangadaro vakutorera upfumi hwako zvawakashandira zvikaenda kumutorwa. Pakupedzisisa poupenyu hwako unozowuwura nyama yako nomuviri zvadyiwa zvino wavakuti, “Chandakarambirawo zvangu kudzorwa chiiko, mwoyo wangu uchishora kutsiurwa. Ndairamba kuteerera zvaitaurwa navarairidzi vangu kana kurerekera nzeve yangu kuvadzidzisi vangu. Ndakanga ndasvika pokutoparara zvachose mukati megungano rakaungana.” Inwa mvura inobva mumugodhi wako mvura inoerera inobva mutsime rako. Zvisipiti zvako zvongoyerera nenyika here mihoronga yemvura yako iyerere mumigwagwa zvayo here? Ngaive yako yoga kwete yevatorwa vaunavo. Rega kasipiti kako kakomborerwe ufadzwe nomukadzi wapahudiki hwako sesheshe yemhembwe kunaka, senhunzvi yengururu yakanakisa kukuda kwake ngakukuzadze nokufara ugutsikane nguva dzose norudo rwake. Sei uchibatwa mwoyo mwanangu, nomukadzi asiwako uchimbundira chipfuva chepfambi? Chiripo ndechokuti Tenzi anoona zviito zvomunhu anotarisa nzira dzake dzose. Munhu anoteewa nouipi hwake anobatwa mubasa rake iroro rechitadzo. Anofa pamusana pekutadza kuzvibata uye anorasika pamusana poupenzi hwake hukuru. Mwanangu ukati ndiwe wokumiririra chikwereti chomumwe uchitsidza panzvimbo pomumwe, kana wateewa mukutaura kwomuromo wako wabatwa mumazwi omuromo wako zvaunofanira kuita ndezvizvi, mwanangu, kuitira kuti uzvinunure nokuti unenge watowira mumaoko omumwe wako. Enda uzvirereke utadzise mumwe wako iyeyo kudya rinopisa. Usambobvuma zvako kuti meso ako abatwe nehope kana kutsomwaira nehope. Zvinunure semhara kumuvhimi kana seshiri mumaoko omutei weshiri. Iwe tsimbe, enda kumujuru uongorore maitiro awo udzidze ungwaru. Mujuru hauna mambo, hauna muchinda kana mutongi asi unogadzirira sadza rawo muzhizha unounganidza chokudya chawo pakukohwa. Uchasvika riniko wakarara nhaiwe tsimbe uchamuka riniko muhope dzako? Izvo zvokuti, “Regai ndimboti kotsire kashoma.” “Regai ndimboti tsomwaire kashoma. Ndimboti maoko gumbate kuzorora.” Urombo hunobva hwati pauri tutururu serombe uye kushaiwa kunouya kwauri somunhu akapakata zvombo zvokurwa. Nhubu munhu akaipa anongofamba achikanganisa mashoko. Anochonya maziso anotondeka netsoka dzake achinongedzera nongedzera neminwe yake. Anoronga twaanoronga nomwoyo wakashata achiramba achingokonzera manyongori. Nhamo inoyerekana yamuwira, nenguva isipi anotyorwa-tyorwa zvisina karapiro. Pane zvinhu zvitanhatu zvisingadiwi naTenzi zvinotosvika zvinomwe zvinosemesa kwaari, zvinoti: Kuzvikudza, nokunyepa maoko anodeura ropa risina mhosva nomwoyo unoronga zvirongwa zvakaipa netsoka dzinomhanyirira kune zvakaipa chapupu chenhema chinotaura manyepo munhu anomutsa gakava pakati pehama. Mwanangu chengeta mitemo yababa vako, usakande pasi mirao yaamai vako isungirire mumwoyo mako isungirire muhuro mako nguva dzose. Kana wofamba inokutungamirira, kana worara inokuchengetedza. Kana wakasvinura inokurukura newe. Chandinodariro ndechokuti mutemo mwenje, murao chiedza kutsiurwa nokudzidziswa ndiwo mafambiro ohupenyu kuitira kuti zvikudzivirire kumukadzi wakaipa kururimi rwunotapira rwomukadzi pfambi. Usatorwe mwoyo norunako rwake usabatwe kumeso netsiye dzake. Nokuti pfambi inogona kutengwa nemari yechingwa asi mukadzi womumwe anonanga zvokutora upenyu hwakakosha hwomunhu. Munhu angatakure moto pachipfuva, hanzu dzake dzikarega kutsva here? Kana kuti munhu angafambe pamavhunze anopisa, tsoka dzake dzikarega kutsva here? Ndizvo zvakaita munhu anoenda kumukadzi womumwe hakuna anomubata bata akarega kurangwa. Handiti vanhu vanoshora mbavha here inenge yaba kuti irape nzara yayo? Asi ikabatwa inoripiswa kakapetwa kanomwe inobvisa upfumi hwose hwomumusha mayo. Munhu anoita upombwe haana njere, anoita zvakadai kuzviuraya chaanowana ipapa maronda nokushorwa uye kuzvidzwa kwako hakufe kwakabva nokuti shanje inoitisa munhu hasha, kana wotsividza anotsividza zvisina tsitsi zvokuti pakaripwa haambozviona kana kugadzana mwoyo nokumupa kwako zvipo zvakawanda. Mwanangu, chengetedza mashoko angu upfimbike mitemo yangu mauri. Chengeta mitemo yangu urarame chengeta mirao yangu semboni yeziso rako. Isungirire paminwe yako. Inyore pakafendefa kemwoyo wako, iti kuungwaru, “Uri hanzvadzi yangu.” Kunzwisisa ukuti, “Ndiwe shamwari yangu yapamwoyo.” Zvinokudzivirira kumukadzi asiwako, mukadzi pfambi worurimi rwunotapira. Nokuti ndiri pahwindho remba yangu ndakatarisa napasefa yangu. Ndakaona pakati pevoruzhinji ndikaongorora pane vechidiki jaya risina njere, richipfuura nepedyo nomukadzi uya richienda nenzira inoenda kumba kwake nguva yoruvhunzavaeni kumanheru panguva yousiku, yerima. Ndopandakaona mukadzi osangana naye akapfeka sepfambi aine zvaainanga achipupira kwazvo kutaura asingagari pamba. Akamboti mumugwagwa, hoyo kumusika anogaririra pakona dzose dzose. Akamubata akamutsvoda akati kwaari, zvisina nenyadzi dzose, “Ndanga ndiine chibayiro chokuti ndipire ndazadzisa nhasi mhiko dzangu. Ndokusaka ndauya, kuzokuchingura ndichikutsvagisisa zvino ndakuwana. Ndawaridza mubhedha wangu zvakanaka namachira emavara-mavara okuIjipiti erineni. Ndapfapfadzira mubhedha nemura, nearoi nechinamoni. Uya tigutsane nezvorudo kusvikira kwaedza ngatifadzane nerudo nokuti murume wangu haapo, akafamba rwendo rurefu. Akatakura katsapo kemari anozodzoka mwedzi wave jenaguru.” Akamugombedzera namashoko mazhinji okunyengetedza, namazwi ake akanyorovera akamumanikidza. Iyewo akabva amutevera pakarepo senzombe iri kuenda kundouraiwa, sebenzi riri kutungamidzwa kuchitokisi kusvikira abaiwa mudumbu, seshiri inomhanyira muriva, asingazivi kuti kuparara kwoupenyu hwake. Zvino imi vanakomana ndinzwei muteerere mashoko omuromo wangu. Mwoyo wako ngaurege kupindukira kunzira dzake usagare munzira dzake nokuti vaakakuvadza akarigira pasi vakawanda. Imba yake inzira yokuenda kunzvimbo yavafi, inodzika kudzimba dzorufu. Inga ungwaru hunodanidzira wani, runzwisiso rwunoshevedzera wani huri pachiturunhuru chiri pedyo nenzira, hunomira pamharadzano dzenzira Uye parutivi pesuo guru mberi kweguta, kokupinda nako, hunodaidzira pamusuo. “Ndinodaidzira kwamuri, imi vanhu, wandinoshevedzera ndimi vanhu. Imi voruzhinji dzidzai uchenjeri, imi mapenzi ivai nemwoyo unonzwisisa. Teererai nokuti ndichataura zvinhu zvakakosha, mumuromo mangu muchabva zvakarurama. Muromo wangu uchataura chokwadi uipi chinhu chinosemesa kumuromo wangu. Mazwi angu ose akarurama, maari hamuna chakakombama kana chakaminama. Ose akati twasa kuna anonzwisisa uye akarurama kune vanowana ruzivo. Torai chidzidziso changu pano kutora sirivha uye ruzivo pane kutora ndarama yakanakisisa nokuti ungwaru huri nani pane zvishongo, chose chaungade hapana chingaenzane nahwo. “Ini ungwaru ndinogara nouchenjeri, ndine ruzivo uye ndinoziva kusarudza. Kutya Tenzi kunoreva kuvenga uipi, ndinovenga kuzvikudza nokuzvitutumadza nokutaura kusina kururama. Ndine mazano noungwaru kwahwo ndinoziva chinonzi kusarudza uye ndine simba. Madzimambo ndini chavanotongesa nacho uye vatongi vanotema zvakarurama, chavanotema nacho ndini. Machinda chavanotonga nacho ndini uyewo vakuru vakuru, vose vanotonga pasi. Ndinoda vanondida uye vose vanonditsvaka nomwoyo wose vanondiwana. Upfumi norukudzo ndinazvo uye upfumi hunogara uye hunokubudirira. Muchero wangu uri nani pane ndarama kunyange ndarama yakanakisa uye mukoho wangu unokunda sirivha yakanakisisa. Ndinofamba nenzira yoururami namakwara oruenzaniso. Ndinopfumisa vanondida ndichivazadzira matura avo. “Tenzi aiva neni pakutanga kwamaitiro ake chaiwo, ndini ndaiva chokutanga chezviito zvake zvakare. Ndakaitwa pasichigare pakutanga chaipo nyika isati yatangiswa. Ndakaberekwa hwenje husati hwavapo pasi pasati pava nezvisipiti zvizere nemvura. Ndakaberekwa makomo asati aumbwa, zvikomo zvisati zvavapo, asati aita pasi neminda yapo kana huruva yokutanga yapasi. Paakasika matenga ndaivepo, paakaita denderedzwa, pamusoro pehwenje. Paakasimbisa matenga kumusoro paakaita zvisipiti zvomuhwenje, paakaisira gungwa miganhu yaro kuitira kuti mvura irege kutyora mitemo yake paakatara ugaro hwenyika, ipapo ndaiva parutivi pake, ndiri nyakumupa mazano. Ndaiva varaidzo yake zuva nezuva ndichifara zvangu pamberi pake nguva dzose, ndichifara munyika yake igere vanhu uye ndichifara muvanhu. “Zvino vanangu nditeererei, vakakomborerwa zvavo vanotevera nzira dzangu. Teererai chidzidziso mungware, musachikande pasi. Akakomborerwa zvake munhu anonditeerera, anondigaririra zuva nezuva pamisuo yangu mikuru, akamirira pedyo nemisuo yangu. Nokuti anondiwana, anowana upenyu uye anofarirwa naTenzi. Asi munhu anondipotsa anozvikuvadza vose vanondivenga vanoda rufu.” Ungwaru hwakazvivakira imba, hwakazvivezera misimboti minomwe. Hwabaya zvibayiro zvahwo, hwasanganisa waini yahwo uye hwagadzira tafura yahwo. Hwatuma vasikana vahwo vebasa kundokokera vari panzvimbo dzakakwirira dzeguta. Kana uri munhuwo zvako tsaukira nepano kumunhu wose asina mano hunoti kwauri, “Uyai mudye chingwa changu munwe waini yandasanganisa. Siyanai nokusanzwisisa murarame mutevere nzira inoratidza kunzwisisa.” Anodzora anoshora, chake kunyombwa uye anotsiura munhu wakaipa anozviparira mavanga. Usatsiure anoshora, nokuti anozokuvenga ukatsiura mungwaru anokuda. Kupa mungwaru, kutomuwedzera ungwaru. Dzidzisa mururami dzidzo yake inotowedzerwa Kutya Tenzi ndiyo mviromviro youngwaru. Kuziva iye Anoera ndiko kunzwisisa ikoko nokuti nokwandiri mazuva ako anowanziridzwa uye makore anopamhidzirwa kuupenyu hwako. Kana wakangwara zvinobatsira iwe kana uri munhu wokunyomba nhamo ndeyako. Rema romukadzi mukadzi anotaurisa, mukadzi asingazvibati asinganyari. Anongoti go kugara pamusuo wemba yake, anondogara panzvimbo dzakatunhumara dzomuguta, achidaidzira kuna vanopfuura nenzira vanenge vakanangana zvavo nerwendo rwavo achiti, “Kana uri munhuwo zvako tsaukira napano” kumunhu asina mano anoti, “Inga wani mvura yokuba inotapira uye chingwa chokudya muchivande chinonaka.” Murume anenge asingazivi kuti ipapa pana vakafa uye kuti vaenzi vomukadzi uyu vari pasi pasi penzvimbo yavafi. Tsumo dzaSoromoni. Mwanakomana anoungwaru anofadza baba asi benzi romwana inhamo zvayo kuna amai. Upfumi hunowanikwa zvakaipa, hauna chimuko asi ururami hunoponesa kurufu. Tenzi haaregi mururami achifa nenzara asi zvinosuwirwa navakaipa anozviisa rutivi. Kugara maoko kunounza urombo asi kugwinyisa maoko kunopfumisa. Mwana anounganidza pazhizha mwana akangwara asi mwana anorara pakukohwa anonyadzisa. Munhu akarurama ane chikomborero pamusoro asi muromo womunhu wakaipa unovanza utsinye. Kufunga nezvemururami chikomborero asi zita romuipi rinoora. Munhu akangwara anoteerera mitemo asi benzi rinotaura chero charataura rinoparara. Anofamba muchokwadi haana chinomuwana asi anofamba zvisizvo achawanikidzwa. Anochonya ziso anopinza nhamo asi anotsiura zvinechivindi anounza rugare. Muromo womunhu akarurama chisipiti choupenyu, asi muromo womuipi unoviga utsinye. Ruvengo runomutsa gakava, asi rudo runofukidza zvikanganiso zvose. Ungwaru hunowanikwa pamuromo pomunhu anonzwisisa asi munhu asina pfungwa shamhu inogara iri pamusana pake. Vangwaru vanopfundira ruzivo rwavo mumwoyo asi muromo webenzi unounza kuparadzwa. Upfumi hwomupfumi iguta rake rakasimba urombo hwavarombo ndihwo hunovaparadza. Basa romururami rinounza upenyu mubayiro wavaipi unosvitsa kuchitadzo. Anochengeta zvidzidziso ari munzira inoenda kuupenyu asi anoramba kutsiurwa anorasika. Munhu anoviga ruvengo munyepi munhu anoreva mumwe ibenzi. Munhu anowanza twokutaura kukanganisa hakushaike asi anozvibata pakutaura akachenjera. Rurimi rwomururami isirivha yakanakisa asi pfungwa dzomuipi hadzina maturo. Miromo yomururami inogutsa vakawanda asi mapenzi anofa pamusana pokushaya ruzivo. Chikomborero chaTenzi chinopfumisa, hapana kushanda kunohupamhidzira. Kune benzi kuita zvakaipa unotova mutambo asi kumunhu anonzwisisa kuita zvinoungwaru ndozvinomufadza. Zvinozezwa nowakaipa ndizvo zvinomuwira asi zvinosuwirwa nomururami anozvipihwa. Kana chamupupuri chikapfuura muipi panosara pasisina asi mururami akadzika midzi nokusingaperi. Zvinongoita vhiniga kumazino uye utsi kumaziso ndozvakaita tsimbe kune anomutuma. Kutya Mwari kunorebesa upenyu asi makore omuipi achapfupikiswa. Chitarisiro chomururami rufaro asi zvinotarisirwa nowakaipa zvinongoti mwarara. Tenzi inhare kumunhu wemaitiro akarurama asi anoparadza vaiti vezvakaipa. Vakarurama havatipurwi asi vaipi munyika havamugari. Muromo womururami unounza ungwaru asi rurimi rwouipi ruchadimurwa. Miromo yomururami inoziva zvinovaka asi muromo wavaipi zvounyengedzi. Tenzi anosema chikero chokunyengedza asi anofadzwa nechikero chiri pamwero. Kuzvitutumadza kukauya kunoteverwa nokunyadziswa asi vanozvirereka ndivo vanoungwaru. Kuva pachokwadi kwavarurami kunovatungamirira asi kukombama kwavanyengedzi kunovaparadza. Upfumi hauna chahunobatsira pazuva rehasha asi ururami hunonunura kurufu. Ururami hwaasina mhosva hunoita kuti nzira yake irambe yakati tasa asi muipi anoputsirwa pasi nouipi hwake. Ururami hwavakatendeka hunovanunura asi vanyengedzi vanobatwa noruchiva rwavo. Kana wakaipa ofa chitarisiro chake chinobva chati mbombombo uye zvinotarisirwa nomuipi zvinoti mwarara. Mururami anonunurwa kunhamo asi muipi anotopindana nayo nhamo. Asiri munamati anogona kuparadza mumwe wake nomuromo wake asi varurami vanoponeswa noruzivo. Zvikanakira vakarurama guta rinopembera nokufara. Kana vakaipa vakaparara kunofarwa zvokupembera kwazvo. Guta rinorumbidzwa pamusana pechikomborero chavakarurama asi rinoparadzwa nomuromo wavakaipa. Munhu anoninipisa mumwe wake, kushaya pfungwa munhu anonzwisisa anonyarara. Munhu anofamba achiita makuhwa anoburitsa pachena zvinhu zvakavandika asi munhu anemwoyo kwawo anochengetedza zvinhu zvakavandika. Kana pasina anotungamira, rudzi runoputsikira pasi kukurira kunobva mukunyatsoronga. Anomiririra chikwereti chomunhu waasingazivi zvichamutemesa musoro. Munhu anovenga kumiririra chikwereti chomumwe akagarika. Mukadzi ano hunhu anoremekedzwa asi murume anoita zvechisimba chaanowana upfumi. Murume ane mwoyo wakanaka zvinhu zvinomufambira zvakanaka asi murume ane mwoyo wohutsinye anozvikuvadza. Munhu wakaipa anowana mubayiro wounyengedzi asi anodyara ururami anowana mubayiro kwawo. Anosimbirira muururami anorarama asi anoronda uipi anofa. Vanhu vane mwoyo wakaipa Tenzi haavadi asi vasina mhosva anofadzwa navo. Iva nechokwadi chokuti munhu akaipa anorangwa chete asi vana vavakarurama vanonunurwa. Zvakangoita ringi rendarama riri mumhuno yenguruve ndozvakaita mukadzi ano runako asi asinganzwisisi. Chido chomururami chinopera nomune zvakanaka asi chitarisiro chavakaita kuitirwa hasha. Mumwe ndimupanogombe asi achitobva atopfumisisa mumwe ndikanyimiramundiro asi achiva murombo. Munhu anopa achapfuma anogutsa vamwe achagutswawo. Vanhu vanoti munhu anoomerera nembesanwa dai awana chinomuwana asi anodzitengesa ane chikomborero. Munhu anotsvaka zvakanaka anotsvaka kudiwa asi uipi hunouya kune anoutsvaka. Munhu anovimba nepfuma achasvava asi mururami achapfumvudza seshizha nyoro. Anotambudza vemumba make mhepo ndiyo nhaka yake benzi richava muranda wavakangwara. Muchero wavakarurama muti woupenyu asi kusachengeta mutemo kunoparadzisa upenyu. Kana wakarurama achiwana mubayiro wake panyika ko kutozoti wakaipa nomutadzi? Munhu anoda kudzidziswa anoda ruzivo asi asingadi kutsiurwa imhuka yomunhu. Munhu wakanaka anodiwa naTenzi asi munhu wohujarijari anomupa mhosva. Munhu haadziki midzi pamusana pouipi mudzi womururami haitipurwi. Mukadzi akarurama indaza kumurume wake asi mukadzi anonyadzisa akaita senhuta yamapfupa kumurume wake. Pfungwa dzavarurami dzakarurama mazano avaipi ndookunyengedza. Mazwi avakaipa ndookuuraya asi muromo womururami ndookununura. Vakaipi vakangoputsirwa pasi zvinobva zvavaperera asi musha womururami unoramba wakamira. Munhu anorumbidzwa pamusana pouchenjeri hwake asi munhu ane pfungwa dzakaminama anoshorwa. Zviri nani kuva munhu anoonekwa somunhuwo zvake asi achizviriritira pane munhu anozviita wapamusorosoro asi chokudya asina. Akarurama ane hanya noupenyu hwezvipfuo zvake asi akaipa chaanoti tsiye nyoro utsinye. Munhu anorima munda wake anowana chokudya chakawanda asi munhu anotandana nezvisina maturo kushaya musoro. Muipi anochochora chinobatwa nemambure avaipi asi mudzi womururami unoita muchero. Munhu akaipa anozviteya nomuromo wake asi akarurama anopunyuka nhamo. Munhu anogutiswa nezvakanaka, uri muchero wezvinobva pamuromo pake uye munhu achadzorerwa zvaakaita namaoko ake. Maitiro ebenzi akanaka kwariri asi munhu mungwaru anoteerera mazano aanopiwa. Kushatirwa kwebenzi kunobva kwaoneka pakarepo asi munhu akangwara haaite hanya nokushatiriswa. Munhu anotaura chokwadi anoburitsa pachena zvakarurama asi chapupu chenhema chinoburitsa unyengedzi. Kune vamwe vanotaura zvinobaya mwoyo sebakatwa asi rurimi rwowakachenjera runoporesa. Muromo unotaura chokwadi hauwire pasi narini asi zvemuromo wenhema hazvina kwazvinosvika. Mumwoyo yavane bangano rakaipa, mune unyengedzi asi mune vanoronga zvakanaka mune rufaro. Hakuna chakaipa chinowira mururami asi vaipi nhamo dzinovamomotera. Miromo inoreva nhema haidiwe naTenzi asi vanotendeseka mukuita kwavo anofadzwa navo. Munhu akangwara anoviga ruzivo rwake asi mapenzi anoparidzira upenzi hwavo. Munhu anogwinyisa maoko achatonga asi anogara maoko achaendeswa kuchibharo. Kuzvidya mwoyo kunoonza asi shoko rakanaka rinomunyevenutsa mwoyo. Munhu wakarurama anoratidza mumwe wake nzira asi nzira yavakaipa inovatungamirira mutome. Anogara maoko hapana nyama yaanobata asi anogwinyisa maoko anowana upfumi hwakakosha. Munzira yoururami munoupenyu munzira yomugwagwa iwoyo hamuna rufu. Mwana akangwara anoteerera zvaanodzidziswa nababa vake, asi tsvuuramuromo haitsiuriki. Munhu anodya zvakanaka zvinobva mumuchero wezvaanotaura nomuromo wake asi vanyengedzi chavanoda utsinye. Munhu anobata muromo wake anochengetedza upenyu hwake asi anongoshamarara kutaura anozviparadza. Nyope yomunhu inosuwira zvinhu asi haina chainowana, vanochamirira basa vanokora. Akarurama anovenga nhema asi akaipa anoita zvinotsverutsa uye zvinonyadzisa. Ururami hunochengetedza vane nzira dzakarurama asi chitadzo chinorigira pasi mutadzi. Mumwe munhu anoita somupfumi chaanacho pasina mumwewo anoita zvake somurombo asi aine upfumi hwakawanda. Chinonunura munhu upenyu upfumi hwake, asi murombo hapana chikonzero chokumutyityidzira. Chiedza chomururami chinongoti bhaa kuchena asi mwenje womuipi uchanzi nhoo kudzimwa. Kuzvikudza, chako kumutsa nharo asi vanobvuma kupiwa mazano chavo ungwaru. Upfumi hunowanikwa nechimbichimbi hautani kupera asi anohuunganidza kashoma nakashoma anotohuwedzeredza. Chawakatarisira munhu chikanonoka zvinoodza mwoyo asi chaunoda chikaitika ndiwo muti woupenyu. Munhu anoshora shoko anozviparadza asi anoremekedza mutemo achapiwa mubayiro. Chidzidziso chomungwaru chisipiti cheupenyu kuitira kuti munhu anzvenge musungo werufu. Kunzwisisisa kunoita kuti munhu adiwe asi nzira yavanyengedzi yakaoma. Munhu akachenjera anoita zvinhu noruzivo asi benzi rinoparidzira urema hwaro. Nhumwa yakaipa inopinza munhamo asi nhumwa yakatendeka inounza kurapa. Munhu anoshora dzidzo urombo nokunyadziswa ndozvake asi anoisa mumwoyo zvaanege atsiurwa acharemekedzwa. Munhu anofara kana zvaanoda zvaitika zvokusiana nezvakaipa mapenzi haadi. Anofambidzana navangwaru, anovawo mungwaru asi shamwari yamapenzi inopinda nhamo. Vatadzi vanorondwa nezvakaipa asi vakarurama vanopiwa mubayiro nezvakanaka. Munhu wakanaka anosiira vana vevana vake nhaka asi upfumi hwomuipi hunochengeterwa varurami. Gura romurombo rinopa chokudya chakawanda asi chinotsvairwa pamusana pokushaika kweruenzaniso. Munhu asingarove mwana wake neshamhu anomuvenga, asi anoda mwana wake anomuranga kwazvo. Mururami anodya pamadiro, asi dumbu rowakaipa inzara yoga. Ungwaru hunovaka imba yahwo asi upenzi hunozviparadzira imba yahwo. Anofamba mukutendeseka anotya Tenzi. Asi munhu woujarijari anoshora Tenzi. Kutaura kwebenzi ndiyo shamhu inorirova musana asi zvinotaura vangwaru ndizvo zvinovachengetedza. Pasina mombe hapanawo mbeswa asi nesimba remombe mbeswa dzinowanda. Chapupu chakatendeka hachirevi nhema asi chapupu chenhema chinonyepa. Munyombi angatsvake zvake ungwaru asi hapana chimuko asi munhu anonzwisisa anowana ruzivo nyore. Siana nebenzi nokuti hapana mashoko oungwaru aunowana pariri. Kuziva nzira dzake ndihwo ungwaru hwomuchenjeri, asi unyengedzi ndihwo upenzi hwebenzi. Benzi rinoshora mupiro wokupfupira zvitadzo asi wakarurama anofadzwa nawo. Mwoyo ndiwo unoziva kurwadziwa kwawo, mumwewo munhu haagone kugoverana rufaro nawo. Musha womunhu akaipa unoparadzwa asi musasa womunhu akarurama unofambira mberi. Pane dzimwe nzira dzaunofunga kuti inzira kwadzo asi mugumo wadzo rufu. Munhu anogona kuseka zvake asi mumwoyo make muino kusuwa panopera kufara-fara kuya, yauya nhamo. Munhu wakaipa achazadzwa nomubayiro wezvaanoita wakanakawo nemichero yezviito zvake. Munhu asina pfungwa dzakadzama anongobvumira zvose zvose asi munhu wakangwara anotarisa paanotsika. Mungwaru anochenjerera zvinhu uye anonzvenga zvakaipa asi benzi rinozviita suku nasai, harikendenge. Munhu anokurumidza kushatirwa zvaanoita ndezvoupenzi asi munhu anoona zvinhu nemazvo anoita mwoyo murefu. Vanhu vasina pfungwa dzakadzama chavo upenzi, vakangwara chavo indaza yoruzivo. Vaipi vanogwadamira vakanaka, ndizvo zvinoita vakaipa pamisuo mikuru yavarurami. Varombo havadiwi kunyange nomuvakidzani navo asi mupfumi ane shamwari zhinji. Munhu anoshora mumwe wake mutadzi, akakomborerwa zvake munhu anoitira varombo tsiye nyoro. Ko havakanganise here vanhu vanoronga kuita zvakaipa? Vanoronga kuita zvakanaka vanowana mwoyochena nokutendeseka. Basa rose rose rine chimuko, asi kungotaura bedzi kunosvitsa pakushaiwa. Upfumi indaza yavachenjeri, asi upenzi indaza yamapenzi. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi munhu anoreva nhema mutengesi. Mukutya Tenzi mune chivimbo chakasimba, kana vana vakewo vanowana kwokupotera. Kutya Tenzi chisipiti choupenyu, kuitira kuti munhu anzvenge misungo yorufu. Kuwanda kwavanhu ndiyo mbiri yamambo ishe akashaya vanhu anoparara. Munhu asingakurumidzi kushatirwa munhu anonzwisisa, asi anokurumidza kushatirwa, anoita kuti upenzi huwande. Pfungwa dzikagadzikana, muviri unoita utano shungu dzomwoyo dzinoodza mapfupa. Anodzvinyirira murombo zvisina kunaka anoshora musiki wake, asi anoita tsiye nyoro kwaari anoremekedza musiki wake. Munhu wakaipa anoputsirwa pasi nouipi hwake, asi akarurama chitarisiro chake chiri mukuva pachokwadi. Ungwaru hunogara mupfungwa dzomunhu anonzwisisa, asi mumwoyo mebenzi hauzivikanwi. Ururami hunosimudzira rudzi asi chitadzo chinoshoresa rudzi. Muranda anoita zvino ungwaru anodiwa namambo asi anoita zvinonyadzisa anomuvirukira nehasha. Mhinduro nyoro inopodza hasha, asi izwi rakaomarara rinovirutsa hasha. Rurimi rwavangwaru runoparadzira ruzivo, asi muromo wamapenzi unowodzvora urema. Ziso raTenzi riri pose pose, rakatarisa vakanaka navakaipa. Rurimi rwakareruka muti woupenyu asi rurimi rwakaipa runoodza mwoyo. Benzi rinoshora chidzidziso chababa varo asi anoteerera zano raanorairwa akangwara. Mumusha momururami mune upfumi hwakawanda, asi upfumi hwomuipi hunopinda pfumvu. Muromo wavangwaru unoparadzira ruzivo asi pfungwa dzemapenzi hadzidaro. Chibayiro chavaipi chinosemesa Tenzi, asi munamato wavarurami unomufadza. Tenzi anovenga nzira yomuipi. Asi anoda munhu anotevedza ururami. Kumunhu anotsauka panzira kudzidziswa kwakamuipira, munhu asingadi kutsiurwa anofa. Nzvimbo yavafi nenzvimbo yokuparadzwa dziri pachena-chena kuna Tenzi ko kutozoti mwoyo yavanhu. Anodada haadi kutsiurwa, haaendi kuvangwaru. Kana mwoyo womunhu wakafara unoita kuti munhu ave nechiso chakafara mwoyo ukasuruvara mweya unobva wati mbombombo pasi. Munhu ane pfungwa dzinonzwisisa anotsvaka ruzivo asi muromo wamapenzi upenzi ndihwo chokudya chawo. Kumurombo mazuva ose akaipa, asi kumwoyo wakafara zuva roga roga mabiko makuru. Zviri nani kuva munhu ane zvishoma uchitya Tenzi pano kuva noupfumi huzhinji uine nhamo. Zviri nani kudya nomurio pane rudo pane kudya nenyama yechimhuru chakakora pano ruvengo. Munhu wehasha anomutsa muchokoto asi ano mwoyo murefu anopodza gakava. Nzira yetsimbe yakaita seruzhowa rweminzwa asi nzira yomururami yakati tasa somugwagwa mukuru wakati sandara. Mwana mukomana anoungwaru anoita kuti baba vake vafare asi benzi romunhu rinoshora amai. Upenzi hunofadza munhu asina pfungwa asi munhu anonzwisisa anofamba zvakarurama. Zvirongwa hazvibudirire kana pasina vokupa mazano asi navapi vemazano vakawanda zvinobudirira. Kupa mhinduro yakanaka chinhu chinofadza kumunhu ko kutozoti izwi rinotaurwa panguva yaro yakanaka. Nzira youpenyu yavakangwara inoenda kumusoro kuti vanzvenge nzvimbo yavafi iri kwakadzika. Mwari anopaza dzimba dzavanozvikudza asi anochengetedza miganhu yechirikadzi. Pfungwa dzavaipi Tenzi anodzivenga. Mazwi avatsvene anomufadza. Munhu anokarira kuwana upfumi nenzira isina kururama anoparira mhuri yake nhamo asi anovenga pfumbamuromo anorarama. Munhu akarurama anombofunga mumwoyo make zvokupindura asi muromo wavakaipa unongosasa zvakaipa. Tenzi ari kure navakaipa asi anonzwa munamato wavakarurama. Meso ano rufaro anofadza mwoyo shoko rakanaka rinosimbisisa munhu mapfupa. Munhu anoteera zvaanotsiurwa anogara pakati pavangwaru. Munhu asingadi kudzorwa anozvishora iye pachake asi munhu anotsiurika anowana kunzwisisa. Kutya Tenzi chidzidzo choungwaru kuti munhu ukudzwe tanga wazvirereka. Munhu anogona kuronga zvinhu mumwoyo make asi zvaanozotaura norurimi rwake zvinenge zvatobvumidzwa naTenzi. Zviito zvomunhu zvingatarisike sezvakanaka kumuridzi wazvo asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu. Turira basa rako kuna Tenzi zvirongwa zvako zvinobudirira. Tenzi anebasa raakasikira chimwe nechimwe kunyange vakaipa vane zuva ravo repfumvu. Munhu wose anozvitutumadza, Tenzi anomusema kurangwa haambofa akapotsana nako. Mwoyo wakanaka nokutendeseka zvinopfupira zvitadzo kutya Tenzi kunoita kuti munhu anzvenge uipi. Kana Tenzi afadzwa noupenyu hwomunhu anosandura vavengi vake achivaita shamwari dzake. Zviri nani kuva nezvishoma munhu ari mururami pane kuva nezvakawanda asi pasina ruenzaniso. Munhu anogona kuzvirongera zvaanoda kuita asi Tenzi ndiye anototungamirira kufamba kwake. Mambo anotaura seane kamuti mukanwa, kana wotonga haapotsi. Zviero nezvikero zvakarurama ndezvaTenzi kunyange zvokueresa zviri mutsapo ndezvake. Kuita zvakaipa kunosemesa kumadzimambo nokuti umambo hunotsigirwa noururami. Muromo unotaura zvakarurama unofadza mambo uye anoda munhu anotaura zvakarurama. Hasha dzamambo iyambiro yorufu, munhu akangwara anoedza kudzipodza. Kufaranuka uso kwamambo kunoreva upenyu kufarirwa namambo kwakaita samakore anounza mvura yomunhuruka. Kuwana ungwaru, kuri nani pano kuwana ndarama, kuva nokunzwisisa ndiko kunofanira kusarudzwa pane kusarudza sirivha. Mugwagwa mukuru wavarurami unotsaukana nouipi. Munhu anotarisa paanotsika anozvichengetedza upenyu. Kuzvikudza kunoteverwa nokuparadzwa uye kuviruka nehasha kunoteverwa nokukoromoka. Zviri nani kuva nomwoyo wokuzvirereka pamwechete navarombo pano kugoverana zvokupamba pamwechete navanozvikudza. Munhu anoteerera shoko anobudirira akakomborerwa anovimba naTenzi. Munhu akangwara anonzi munhu anoona zvinhu nemazvo, kutaura zvinotapira kunobatsira kukurudzira vamwe. Ungwaru itsime roupenyu kune anaho asi upenzi ishamhu kumapenzi. Pfungwa dzomungwaru dzinoita kuti muromo wake utaure zvinoungwaru uye zvinopamhidzira kumuromo wake chipo chokukurudzira vamwe. Mazwi akanaka akaita sezinga rouchi, anotapira parurimi uye anorapa munhu. Munhu anogona kuona zviito zvake sezvakanaka asi zvichizoguma zvamuendesa kurufu. Havi yomushandi ndiyo inomumanikidza kushanda nokuti nzara inomukweva. Dzenga rinomutsa muchokoto, zvarinotaura, moto chaiwo unopisa. Munhu akaipa anopesanisa vanhu munhu wamakuhwa anoparadzanisa shamwari. Munhu woutsinye anofurira mumwe wake achimutungamirira munzira isina kururama. Munhu anochonya maziso ane twaanoronga twakaipa, munhu anomonya muromo anokonzera zvakaipa kuti zviitike. Kuchena musoro indaza yembiri kunowanikwa noupenyu hwakarurama. Munhu asingakurumidzi kushatirwa ari nani pane vana masimba, munhu anozvitonga ari nani pane anokurira guta. Panogona zvapo kuita chin'ange pamakumbo asi zvinenge zvabvumirwa naTenzi ndizvo zvinoitika. Zviri nani kuva nechipapata norunyararo pano mumba muzere nokudyiririra asi muine gakava. Muranda mungwaru anotonga mwana mukomana anoita zvinonyadzisa uye anotogoverana nhaka semukomanomun'una nevana vomo. Bisiro nderesirivha virira nderendarama asi Tenzi ndiye anoedza mwoyo. Muiti wezvakaipa anoteerera kumuromo unoreva nhema munyepi anoteerera makuhwa. Munhu anonyomba murombo anonyomba musiki wake. Munhu anofarira nhamo dzavamwe haamborega kurangwa. Vazukuru ndivo ndaza yavakwegura uye vabereki ndiyo mbiri yavana. Kutaura zvakanaka hakupindirani nebenzi ko kutozoti jinda rinotaura nhema. Pfumbamuromo kumuridzi wayo yakaita sedombo romushonga kwose kwaanoenda anobudirira. Munhu anoregerera anotsvaka rudo asi anoramba odzokorora nyaya anoputsa ukama. Kutsiurwa kunopinda mumunhu anonzwisisa kupfuura kurova benzi kazana. Munhu wakaipa anotsvaka zvokupanduka achatumirwa nhumwa inoutsinye. Zviri nani kuti munhu asangane zvake nebere gadzi ratorerwa vana varo pane kusangana nebenzi muupenzi hwaro. Munhu akatsiva chakanaka nechakaipa, zvakaipa hazvizosiana neimba yake. Kutangisa kwegakava kwakaita sokudziura mvura saka ibva gakava risati ramuka. Munhu anopembedza munhu akaipa nomunhu anopa mhosva munhu asina mhosva vose vari vaviri vanosemesa pana Tenzi. Zvinobatsirei benzi kuva nemari mumaoko yokutenga nayo ungwaru iro musoro risina. Shamwari ishamwari nguva dzose asi womumba ndowokutakura naye nhamo. Munhu asina pfungwa anongotsidza achiva munhu wokumiririra chikwereti chomumwe. Munhu anoda kukanganisa anoda mhirizhonga. Munhu anoda kuzvikwiridzira pamusoro anozvitsvakira kuparadzwa. Munhu woujarijari haabudiriri uye munhu anotaura zvakatsveyama anowira mumatambudziko. Munhu anobereka dununu romwana ane nhamo. Baba vebenzi havana mufaro. Kuva nomwoyo wakafaranuka mushonga wakanaka kusuruvara mwoyo kunoonza munhu. Munhu wakaipa anotora pfumbamuromo pachipfuva chake kuti akanganise ruenzaniso. Munhu anonzwisisa ungwaru anogara akatarisana naho asi maziso ebenzi anogara ari kokoko kwakaperera nyika. Benzi romwana rinorwadzisa mwoyo wababa uye rinoshungurudza amai vakaribereka. Kuripisa munhu asina mhaka hazvina kunaka. Kurova vakuru vakuru neshamhu hakuna kunaka. Munhu anozvidzora pakutaura anoruzivo munhu akanyarara munhu anonzwisisa. Kunyange benzi rinonyarara rinoonekwa somungwaru. Kana akaramba akati zvake muromo bo vanhu vanofunga kuti anonzwisisa. Zindoga anotsvaka zvaanoda iye anoshatiriswa namazano kwawo ose. Benzi harinei nokunzwisisa charo kuda chete kutaura zvarinoda. Kana uipi hwouya, zvinobva zvateverana nokuzvidzwa kushorwa kunouya pamwechete nokufumurwa. Mazwi anotaurwa nomunhu imvura yakadzika, karwizi kanoyerera, kasipiti koungwaru. Hazvina kunaka kuitira wakaipa zvakanaka uchitadzisa ruenzaniso kuna wakarurama. Muromo webenzi unomutsa gakava zvarinotaura zvinoridaidzira shamhu. Zvinobva mukanwa mebenzi zvinomuparadza, muromo wake musungo unosunga iye. Mazwi omunhu anotaura makuhwa anenge misuva inonaka anonyatsoti dyoo mukatikati momuviri. Munhu anoita nungo pabasa mukoma nomunun'una nemharadzi. Zita raTenzi inhare yakasimba mururami anomhanyira mariri anochengeteka. Upfumi hwomupfumi inhare yake yakasimba anotofunga kuti rusvingo rusingakwiriki. Munhu asati aparadzwa anombozvikudza kuti munhu ukudzwe tanga wazvidukupisa. Kupa mhinduro usina kunzwa mubvunzo wacho, hurema uye zvinonyadzisa. Nomwoyo mukuru unogona kutirira chirwere asi ukarasa mwoyo ungatirire sei. Munhu ano musoro anozviwanira ruzivo nzeve yomungwaru inotsvaka ruzivo. Chipo chinokuzarurira mikova yakawanda chichikuwanisa masvikiro pana vakuru vakuru. Anotanga kupira nyaya yake ndiye anoonekwa seari pachokwadi. Kusvikira mumwe wake auya kuzomuongorora. Chin'ange chinopedza gakava chinopedza kukwikwidzana kwavane simba, vanoitirana mapitse. Mukoma kana munun'una ashatiriswa anotyisa kupinda nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo. Gakava rakadaro rakaita sezvihuri zvenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo. Zvaunotaura ndizvo zvinozokuzvimbira, zvinobva pamuromo pako ndizvo zvinozokutsitsirira. Rufu noupenyu zviri mumaoko orurimi vanoita ushamwari narwo vanowana mubayiro warwo. Munhu anowana mukadzi anowana chinhu chakanaka chinotova chiratidzo chorudo rwaTenzi. Varombo vanotoita zvokuteterera asi vapfumi vanopindura nehasha. Dzimwe shamwari ndedzokuvaraidza chete asi imwe shamwari inokunda mukoma kana munun'una. Zviri nani kuva murombo anogara upenyu hwakarurama pano huyakose yomunhu benzi. Hazvina kunaka kuti munhu ashaye ruzivo. Anokurumidza kumedza kutsenga achakuda, anorasika. Kana upenzi hwomunhu hwamusvitsa pakuparadzwa, mwoyo wake unovirukira Tenzi nehasha. Upfumi hunokuwanira shamwari itsva asi murombo anofuratirwa neshamwari yake. Chapupu chenhema hachirege kurangwa anonyepa haapunyuki. Vanhu vazhinji vanoda kufadza mukuru-mukuru munhu wose anoda kushamwaridzana nomunhu anopa. Murombo anovengwa nehama dzake dzose, ko kutozoti shamwari, dzinomirira kure zvakadii? Angasarudze zvake mazwi ake asi hapana waanosara anaye. Munhu anozviwanira ungwaru munhu anozvida. Munhu anochengetedza kunzwisisa anobudirira. Chapupu chenhema hachirege kurangwa munhu anonyepa achaparara. Hazvikodzeri kuti benzi rigare pamutambaratede, zvakatonyanya kusakodzera kuti muranda atonge vakuru vakuru. Munhu anonzwisisa haakurumidzi kushatirwa kuregerera kunoita kuti aremekedzwe. Hasha dzamambo dzakafanana nokudzvova kweshumba asi ushamwari naye hwakaita sedova pauswa. Benzi romwana imharadzi kuna baba vake. Mudzimai ano pamuromo mumba imba inoramba ichidonha. Imba noupfumi inhaka inobva kumadzibaba asi mukadzi mungwaru anobva kuna Tenzi. Nungo dzinopfodoresa munhu hope, nyope yomunhu inofa nenzara. Munhu anochengeta mutemo anozvichengeta upenyu asi anoshora nzira dzaTenzi anofa. Munhu anoita mwoyochena kumurombo, anokweretesa kuna Tenzi, anomuripa zvaanenge aita zvacho. Raira mwana wako achiri kunzwa asi kwete zvokutoda kumuuraya. Munhu ane hasha dzakawanda achawana mubayiro wadzo nokuti ukamurandutsira uchatozomurandutsirazve. Teerera zano raunopiwa ugamuchire kudzidziswa kwaunoitwa kuti uwane ungwaru muneramangwana. Munhu anogona kuzvirongera, mumusoro make, zvinhu zvakawanda asi zvinodiwa naTenzi ndizvo zvinozoitika. Chinodiwa pamunhu kuvimbika, murombo ari nani pano murevi wenhema. Kutya Tenzi kunosvitsa kuupenyu uye anako anogadzana mwoyo, hapana chinomuwana. Nyanungo anoti ruoko mundiro tindindi agoita nungo dzokurudzorera kumuromo. Rova tsvuuramuromo dununu rinodzidza ungwaru, ukatsiura munhu anonzwisisa anowana ruzivo. Mwana anorova baba achitandanisa amai vake, mwana anonyadzisa uye anoshoresa. Mwanangu kana uchida kurasika pamashoko oruzivo kanda pasi zvidzidziso. Chapupu chinoreva nhema chinoshora ruenzaniso muromo womuipi unokambura uipi. Chirango chakamirira vanoshora, shamhu yakamirira misana yamapenzi. Waini munyombi hwahwa mupopoti anoteteretswa nazvo haana kungwara. Hasha dzamambo dzinotyisa dzakaita sokudzvova kweshumba, anomutsa hasha dzake, anorasikirwa noupenyu hwake. Kunzvenga gakava chinhu chinoremekedzwa asi benzi riri rose, pane gakava, ndoparakadanwa rikadavira. Tsimbe hairime pakurima, pakukohwa inondotsvaka asi hapana chainowana. Zvirongwa zvepfungwa dzomunhu zvakaita semvura yakadzika asi anonzwisisa ndiye anoiteka. Vanhu vazhinji vanoparidzira kutendeka kwavo asi akatendeka chaiye ndiani angamuwane? Vakakomborerwa zvavo vana vomururami anofamba pachokwadi. Mambo anogara pachigaro chokutonga anopepeta zvakaipa namaziso ake. Ndiani angati ndine mwoyo wakachena handina mhosva yechitadzo. Kuita nezvikero zvakasiyana-siyana uye nezvipimiso zvakasiyana-siyana zvinosemesa kuna Tenzi. Kunyange mwana, anoita kuti vanhu vamuzive nezviito zvake zvingave zvakanaka kana zviri pachokwadi. Maziso anoona nenzeve dzinonzwa zvose zviri zviviri zvakaitwa naTenzi. Usaite ushamwari nehope urombo hunova hwako. Svinura maziso ako kuguta sadza kuchava kwako. Munhu anotenga anoti chakaipa, chakaipa asi akangobvapo avakuzvirova dundundu. Kune ndarama namatombo anokosha akawanda asi miromo yeruzivo chishongo chinokosha. Munhu anomirira chikwereti chomunhu waasingazivi ngaatorerwe hanzu yake ive chitsidzo chokumiririra kwake chikwereti chomunhu waasingazivi. Chingwa chokuba chinonaka asi mushure chinopinduka kuita somunhu ane jecha mukanwa. Mazano marairanwa, kurwa hondo hunge matombogara pasi maronga. Munhu asingagare pasi namakuhwa anoburitsa zvakavandika saka usashamwaridzane nazimwaya anorotomoka kutaura. Munhu anorengerera baba naamai rushambwa mwenje wake uchadzima muzarima. Nhaka yaunowana chimbichimbi haina chikomborero pakupedzisira. Usati ndinoda kudzorera chakaipa vimba naTenzi achakubatsira. Ujarijari nezvikero hunosemesa kuna Tenzi zvokueresa zvokubiridzira nazvo hazvina kunaka. Tenzi ndiye anotungamirira munhu pakufamba kwake ko munhu angazive sei kuchaenda upenyu hwake. Zvine njodzi kumunhu kukurumidza kupira chinhu kunaMwari mushure ndopowozofunga kuti zvino ndaitei. Mambo akangwara anopepeta vakaipa agovapura nemhuro. Mweya womunhu ndiwo mwenje waTenzi unovheneka mukati momuviri wake. Mwoyochena, nokutendeseka ndizvo zvinochengetedza mambo. Chigaro chake chinochengetedzwa nemwoyochena. Mbiri yamajaya iri musimba ravanaro kuremekedzwa kwavakwegura kuri mukuchena musoro. Maronda okurikitwa anosuka uipi shamhu dzinosuka mukatikati momunhu. Mwoyo wamambo uri mumaoko aTenzi, anoutendeutsira kwaanenge achida. Zviito zvose zvomunhu zvingatarisike sezvakanaka kumuridzi wazvo, asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu. Kuita zvakarurama noruenzaniso, ndizvo zvinodiwa naTenzi kupinda chibayiro. Kutsvitsvinyara uye kuva nemwoyo wokuzvikudza chitadzo, ndiwo mwenje wavakaipa iwoyo. Kunyatsoronga zvinhu nemazvo, kunowanisa zvakawanda, mandichimbidzike anobereka urombo. Kuwana upfumi namanyepo ibute rinongopfuura uye iriva rorufu. Utsinye hwavakaipa huchavakukura nokuti vanoramba kuita zvino ruenzaniso. Maitiro omunhu ane mhosva akaminama, asi evasina mhosva akati tasa. Zviri nani kugara pakona yedenga remba pano kugara nomukadzi anenharo. Mwoyo womunhu akaipa, unodokwairira uipi haana tsiye nyoro nomunhu. Kana anoshora akarangwa voruzhinji vanongwara. Kana mungwaru akadzidziswa, anowana ruzivo. Iye mururami anoongorora imba yomuipi achapinza vakaipa mukuparadzwa. Munhu anodzivira nzeve kumurombo anochema kwaari, iyewo achazochema pasina anomunzwa. Chipo chinopiwa muchivande chinopodza hasha. Pfumbamuromo yapakavanda inomutsa hasha dzinotyisa. Kana ruenzaniso rwaitwa zvinofadza wakarurama asi zvinokangaidza vakaipa. Munhu anodzungaira achisiya nzira yokunzwisisa achandozorora mugungano rakafa. Munhu anoda zvokunakirwa anova murombo, munhu anoda waini namafuta haambopfuma. Muipi ndiye achava chokununurisa mururami vasingatendi muna Mwari vachava chokununurisa vari pachokwadi. Zviri nani kugara mugwenga pano kugara nomukadzi anenharo uye ane muromo. Pfuma inokosha namafuta zvinowanika mumba momungwaru asi benzi romunhu rinozviparadza. Munhu anoramba achiita zvakarurama nemwoyochena achawana upenyu, noururami nokukudzwa. Mungwaru anogona kukwira paguta ravarwi vakasimba agowisira pasi guta rokuzvidzivirira muhondo ravaivimba naro. Munhu anobata muromo wake uye anochengetedza rurimi rwake anonzvenga nhamo. Mushori ndiro zita romunhu anozvikudza anozvitutumadza anoita zvehasha achizvikudza. Munhu ano usimbe, chinomuuraya ishungu nokuti maoko ake haadi kushanda. Muipi anoswera muswere wose achingodokwaira zvokudokwaira zviye asi mururami anopa asingaiti kanyimiramundiro. Chibayiro chavaipi chinosemesa, ko kutozoti kana zvaanochiunzira zviri zvakaipa. Chapupu chenhema chinoparara asi chapupu chakazvinzwa chinoramba chichiteererwa Munhu wakaipa ane chiso chisinganyari asi akarurama akatsiga mukuita kwake. Hakuna ungwaru kana njere kana mazano zvingamirisane naTenzi. Bhiza ringadziirirwa zvaro zuva rehondo asi anonunura muhondo ndiTenzi. Zviri nani kuva nezita rakanaka pane kuva noupfumi hwakawanda kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana ndarama. Chavanofanana vapfumi navarombo chimwechete chokuti Tenzi ndiye musiki wavo vose. Wakachenjera anoona njonzi ovanda akapusa anoenderera mberi asi anowona mubayiro wake. Mubayiro wokuzvirereka nowokutya Tenzi upfumi nokuremekedzwa noupenyu. Munzira yomunhu asina kutsarukana mune minzwa nemisungo munhu anozvichengeta anogara kure nazvo. Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo kunyange akura haasiane nayo. Vapfumi ndivo vanotonga varombo, mukwereti muranda womukweretesi. Munhu anodyara zvisina ruenzaniso achakohwa matambudziko shamhu yokushatirwa kwake ichamuperera. Munhu ane ruoko rwunopa akakomborerwa nokuti anogoverana chokudya chake navarombo. Ukadzinga mushori gakava rinobva raenda uye nharo nokutuka zvinobva zvapera. Munhu ano mwoyo mutsvene ane rurimi runotapira anova shamwari yamambo. Tenzi anoona kuti chokwadi chachengetedzwa asi mashoko avanonyepa anoaparadza. Nyope inoti, “Panze apa pane shumba! Ndingangouraiwa mumugwagwa, wehama!” Muromo wepfambi igomba rakadzama anoshatirirwa naTenzi anowira mariri. Mwana anoberekwa ane upenzi mumwoyo asi shamhu ndiyo inohudzinga maari. Munhu anodzvinyirira varombo zvakaipa achida kuwanza upfumi hwake achipa zvipo kuvapfumi achapinda urombo. Rerekera nzeve yako unzwe mazwi avangwaru uise mwoyo wako mune zvandinokuzivisa. Zvichakunakira ukazvichengeta mauri zviri pamuromo pako zvose. Kuitira kuti uvimbe naTenzi, ndada kukuzivisa izvi iyewe nhasi uno. Ndakakunyorera makumi matatu etsumo dzokukupa mazano noruzivo handiti? Izvi kuitira kuti ndikuratidze zvakarurama nezvechokwadi kuitira kuti upe anenge akutuma mhinduro yechokwadi. Usapambe murombo nokuti murombo, usambunyikidze vatamburi padare, nokuti Tenzi achavarwira, achatorera upenyu vanovapamba. Usaite ushamwari nomunhu wehasha kana kufambidzana nemunhu wokutsamwa ungadaro ukadzidza tsika dzake zvikave musungo unokusunga. Usave mumwe wavanoita chitsidzo anova mumiririri wezvikwereti. Kana usina chokuripa nacho vangadaro vakatora mubhedha wako waunorara. Usabvise chitata chakare chomuganhu wenyika chakaiswa namadzibaba ako. Ndiratidzei munhu anoziva basa rake iyeyo ndiye achamira pamberi pamadzimambo haamiri pamberi pavanhu vasingazivikanwi. Kana wagara pakudya nomutongi ziva kuti ndiani ari pamberi pako uzvibate kana uri munhu anokara kudya. Usaite makaro namachikichori ake nokuti ndookuti akuone zvauri. Usazviuraye nebasa kuti uwane upfumi iva noungwaru wombozororawo nokuti unongohuti onei ndizvozvo ihwo waru waru hutu hwaenda huchibhururuka kudenga segondo. Usadye chokudya chomunhu anonyima, usadokwairire machikichori ake nokuti iye mumwoyo rinenge riri bishi kufunga uku achiti idya idya zvako asi iye asingambozvirevi nomwoyo wose. Ucharutsa misuva yaunenge wadya kumukudza kwako kunobva kwashaya maturo. Usapedze nguva uchitaura nebenzi nokuti richashora basa rezvaunotaura. Usabvise chitata chomuganhu chakare kana kupinda muminda yenherera nokuti mununuri wavo ane simba achavarwira achikurwisa. Isa mwoyo wako mukudzidza urerekere nzeve yako kumazwi oungwaru. Usarege kuranga mwana, ukamurova neshamhu haambofa. Ukamurova neshamhu unomununura kuenda kunzvimbo yavakafa. Mwanangu kana wakangwara mukati mako'mu mwoyo wanguwo unofara. Ini ndinobva ndafara mumwoyo kana muromo wako uchitaura zvakarurama. Usave neshanje navatadzi mumwoyo mako asi itya Tenzi zuva rose. Pakadaro une ramangwana, chitarisiro chako hachizoganurwa. Teerera mwanangu, iva munhu akangwara ururamise mwoyo wako mugwara. Usaite ushamwari nezviradza zvewaini kana kuva navanokara nyama nokuti chidhakwa neanokara kudya vachava varombo, vanotsomwaira nehope vachapfeka mamvemve. Teerera baba vako vakakubereka uye usashore amai vako kana vakwegura. Tenga chokwadi asi usachitengese tenga ungwaru nedzidziso nokunzwisisa. Baba womururami achafara zvisina akamboona. Anobereka mwana mungwaru achafadzwa naye. Rega baba vako naamai vako vafare. Rega wakakubereka afare. Mwanangu isa mwoyo wako kwandiri maziso ako aongorore zvandinoita. Pfambi igomba rakadzika, mukadzi asina kwake, itsime rakamanikana. Anogarira segororo achirasisa varume vakawanda. Ndiani chaizvo ane jambwa? Ndiani munhu wenhamo? Ndiani wokushupika? Ndiani anopopota? Ndiani ane mavanga aasingazivi kwaakabva nako? Ndiani anotsvukisa maziso? Ndavana mubvadzasukwa vane kamwoyo kokuda kuravira waini yakaitwa mvenge. Usatorwe mwoyo nokutsvuka kwewaini painenge yobwaira mukomichi ichinyatsoti yerere mugurokuro. Pakupedzisira inoruma senyoka igoti ndure kuruma sechiva. Maziso ako achaona zvinhu zvisingazivikanwi. Mumwoyo mako muchabuda zvisakarurama. Uchaita somunhu akarara pakati pegungwa kana kurara pamusoro pembambo. Uchati, “Vakandirova asi handina kukuvara vakandirakasha kurova asi handina kuzvinzwa ndichamuka rinhi ndinoda kutonwazve.” Usaitire shanje vanhu vakaipa kana kuda kushamwaridzana navo, nokuti mwoyo yavo inofunga zvoutsinye miromo yavo inotaura zvoumharadzi. Musha unovakwa noungwaru asi kunzwisisa ndiko kunomisa musha. Zvakakosha uye zvakanaka zvinozara mudzimba dzawo zvinobva kuruzivo. Mungwaru anokunda munhu ane simba uye munhu ano ruzivo anokunda ana masimba. Kuronga ndiko kunopa vanhu kukunda muhondo kukunda kunobva mukunyatsoronga. Kubenzi, ungwaru huri pamusorosoro padare harimboti muromo bufu. Munhu anoronga kuita zvakaipa anozonzi womusikanzwa. Kuronga kuita zvakaipa, chitadzo mushori anosemesa kuvanhu. Ukaora mwoyo pamusi wenhamo simba rako rinobva raita shoma. Nunura vanenge vachindundurutsirwa kurufu umise vanenge vachidzadzarikira kundourayiwa. Kana ukati, “Hatina kumbozviziva.” Ko iye anoona mwoyo haazvione here? Ko iye anokuchengeta haazvizivi here? Haape mumwe nomumwe maererano nezviito zvake here? Mwanangu idya uchi nokuti hwakanaka musvi weuchi unotapira kuhudya. Ziva kuti ungwaru hwakaita sei kwauri, ukahuhwana une upenyu mune ramangwana chitarisiro chako hachiparare. Usavandire pamba pomururami sezvinoita muipi usaparadze musha wake nokuti akarurama anoputsika kanomwe achimukazve asi akaipa anokundwa nenhamo. Usati Tsvatuwaro kana muvengi wako awira munhamo mwoyo wako ngaurege kufara kana adzadzarika. Tenzi angadaro akazviona akatsamwa nazvo akadzora hasha dzake kwaari. Usazvinetse nezvevaiti vezvakaipa uye usaitire vakaipa shanje. Muipi haana upenyu muneramangwana, mwenje wavaipi uchadzimwa. Mwanangu itya Tenzi namambo usaite rimwe navapanduki nokuti vachawirwa nejambwa nenguva isipi richibva kuna vose vari vaviri. Dzino idzi dzimwe tsumo dzinobva kuvangwaru: Kutonga norusaruro hakuna kunaka. Anoti kumuipi hauna mhosva acharengererwa rushambwa navanhu agovengwa namarudzi asi vanotsiura vakaipa vachafara vachava nechikomborero chakanaka. Kutaura chokwadi hakuputsi ukama. Tanga wagadzira zvokunze'ku zvigadzirirewo munda wako ndokuzovaka musha wako. Usave chapupu chokuroverera mumwe wako pasina mhosva usanyengedze nomuromo wako. Usati kumunhu ndinoda kumuitira sezvaakandiitirawo ndichinotsivawo zvaakandiitira. Ndapfuura nepamunda wenyope napamunda webenzi wemugirepisi. Wonei wakati ndu neminzwa pasi pakazara norukato. Rusvingo rwawo rwakanga rwakapazika Ndakaona ndikarangarira ndakatarisa ndikawona chidzidzo. Kuti regai ndimboti kotsirei kashoma regai ndimboti tsomwairei kashoma ndimboti maoko gumbatei kuzorora zvangu urombo hunobva hwati pauri tutururu segandanga uye kushaiwa kunouya kwauri somunhu akapakata zvombo zvokurwa. Idziwo itsumo dzaSaromoni dzakanyorwa navanhu vokwaEzekiya mambo wokwaJudha. Kuna Mwari kuhwandisa zvinhu inotova mbiri kwaaari asi mbiri yamadzimambo, iri mukutsvakisisa zvinhu. Sokukwira, kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika ndizvo zvakaita pfungwa dzamadzimambo, hadzibatiki. Ukabvisa tsvina musirivha mhizha youtare inobva yava nechokuitisa midziyo. Ukabvisa vakaipa panaMambo umambo hwake hunobva hwasimba nohururami. Usazvisesekedze pana mambo kana kutora nzvimbo yavakuru-vakuru. Zviri nani kutaurirwa kuti, “Kwira kuno uku” pano kuzoiswa panzvimbo yapasi kana pava negurukota. Zvaunenge waona nameso ako usakurumidze kuzvikwirira dare ungadaro pokupedzisira ukazonyadziswa nomumwe wako. Kurukurirana nomumwe wako iyeyo asi usaburitse zvakavandika zvomumwe. Anokunzwa iyeyo angadaro akazokunyadzisa. Kunyara kwako hakuzoperi. Shoko rinotaurwa panguva yaro rakaita somufananidzo wemaapuru endarama wakakwenenzverwa mundiro yesirivha. Kumunhu ane nzeve dzokunzwa munhu anomutsiura akaita semhete yendarama kana chishongo chendarama. Kune vanotuma nhumwa yakatendeka yakaita sokutonhora kwamazaya echando panguva yokukohwa anonyevenutsa mwoyo yavatenzi vake. Munhu ane chipo chaanofanira kupa chaasingapi, akafanana namakore nemhepo zvisina mvura. Mutongi anogona kunyengererwa nemwoyo murefu. Rurimi runyoro rwunotyora mapfupa. Kana wawana uchi ingodya hwakakwanirana ungadaro ukagutisa ukazorutsa. Rega kuramba gumbo rako richienda pamba pomumwe wako angadaro akafinhwa newe akazokuvenga. Munhu anopupurira mumwe wake nhema wakafanana netsvimbo yehondo kana bakatwa kana museve wakapinza. Kuvimba nomunhu asingavimbiki pazuva renhamo, kwakafanana nezino rinorwadza kana rutsoka runotsvedzemuka. Kuimbira munhu akasuruvara kwakafanana nomunhu anobvisa bhachi pazuva rinotonhora kana kuisa vhiniga paronda. Kana muvengi ane nzara mupe chokudya kana ane nyota mupe mvura yokunwa nokuti izvozvo kutotutira mazimbe omoto pamusoro pake Tenzi achakupa mubayiro. Mhepo yokuchamhembe inounza mvura rurimi rwemakuhwa runokonzera kutsamwa. Zviri nani kugara pakona yedenga remba pane kugara mumba nomukadzi anenharo. Zvakangoita mvura inotonhorera kumunhu anenyota ndozvakaita shoko rakanaka rinobva kunyika iri kure. Mururami anobvuma zvavaipi akafanana nemvura yabvongodzwa kana kasipiti kakashinhirwa. Hazvina kunaka kudya uchi hwakawanda naizvozvo kutsvaka kurumbidzwa ita kushoma. Munhu asingakwanise kuzvibata akafanana neguta rakapazika rikasara risina rusvingo. Benzi harikodzeri kukudzwa sezvakangoita kuwana chando pazhizha kana mvura yokunaya pachirimo. Sokubhabhama kunoita shiri uye sokubhururuka kunoita nyenganyenga ndozvakaita kurengerera rushambwa pasina chikonzero, hakubatirire. Bhiza rinoda tyava mbongoro inoda matomhu musana webenzi unoda shamhu. Usapindure benzi sebenzi ungadaro ukafanana naro. Pindura benzi maererano noupenzi hwaro kuti rirege kuzvitutumadza serakangwara. Kutumira shoko nebenzi unopera tsoka uye kutozviparira. Sezvakangoita makumbo echirema anongorembera zvawo ndozvakangoita tsumo pamuromo pebenzi. Kuremekedza benzi kwangofanana nokuisa dombo murekeni. Sezvakangoita munzwa mumaoko echidhakwa ndozvakaita tsumo mumuromo webenzi. Kupinza benzi basa kwakaipa kupinda kupinza basa mupfuuri nenzira. Zvakangoita imbwa inodya marutsi ayo ndozvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro. Wakamboona here munhu anozviti pachake iye mungwaru? Benzi riri nani pane munhu iyeyo. Nyope inoti munzira mune shumba mumugwagwa mune mhondoro. Gonhi rinotenderera pamahinjisi aro ndozvinoita tsimbe pauriri hwayo. Nyanungo anoti ruoko mundiro tindindindi achizoita nungo dzokurudzorera kumuromo. Tsimbe inozviona seyakangwara kupinda vanhu vanomwe vanokwanisa kupindura zvino musoro. Munhu anozvipinza mugakava risiri rake akafanana nomunhu anoti imbwa iri kupfuurawo napanzeve kachi. Zvakaita benzi rinokanda zvitsiga zvomoto nemiseve norufu ndozvakaita munhu anonyengedza mumwe wake ozoti, “A, kuseka zvangu.” Pasina huni moto unodzima, pasinawo munhu wamakuhwa zvokupopotedzana zvinopera. Zvakangoita marasha kumazimbe omoto uye huni kumoto ndizvo zvakaita munhu wenharo kumutsa muchokoto. Mazwi emunhu anotaura makuhwa anenge misuva inonaka, inonyatsoti dyoo mukatikati momuviri. Sakaya kanopenyerera kakakwenenzverwa kuputira ndiro ndozvine miromo inotaura zvinyoronyoro asi nemwoyo wakaipa. Munhu anovenga anonyengedza nemiromo yake, iye akavanza unyengedzi mumwoyo make. Kana achitaura zvakanakisisa rega kuzvigamuchira ane zvinhu zvinomwe mumwoyo make zvinosemesa. Kuvenga kwake kungavanzwe zvako nounyengedzi asi uipi hwake hunoburitswa pachena pagungano. Anochera gomba, achawira mariri, dombo rinotsitsirira anotanga kurigudumutsa. Munhu worurimi runonyepa anovenga vaanonyepera, munhu womuzvambarara imharadzi. Usazvitutumadze nezvamangwana nokuti hauzivi zvichauya mune ramangwana. Rega mumwe akurumbidze kwete muromo wako, angave mutorwa zvake kwete miromo yako. Dombo rinorema, jecha rinorema asi hasha dzebenzi, dzinorema kupinda izvozvo zviri zviviri. Hasha dzina utsinye, kugumbuka kunowodzvoka asi ndiani angamirisane neshanje. Kutsiurwa pachena kuri nani pano kudiwa zvakavanda. Mavanga eshamwari maronda kwawo asi muvengi anotsvoda kakawanda. Munhu akaguta haadi kana uchi asi kune ane nzara kana zvinovava zvinotapira. Sezvinoita shiri inorasika padendere payo, ndozvinoita munhu anorasika pamusha pake. Mafuta netunonhuwirira twokuzora tunofadza mwoyo ndozvakaita ushamwari hwakanaka pane umbimbindoga. Usarasane neshamwari yako kana shamwari yababa vako. Pazuva redambudziko rako usaende kumba yomukoma kana munun'una wako. Muvakidzani newe ari padyo ari nani pane mukoma kana munun'una ari kure. Iva munhu akangwara, mwanangu uite kuti mwoyo wangu ufare kuitira kuti ndiwane mhinduro kune anonditsoropodza. Munhu akachenjera akaona njodzi anovanda asi dununu romunhu rinongoenda rozotambura nazvo. Munhu anomiririra chikwereti chomunhu waasingazivi ngaatorerwe hanzu yake ive chitsidzo chokumiririra kwake chikwereti chomunhu waasingazivi. Munhu anokwazisa muvakidzani naye achiita zvokutomukira mangwanani-ngwanani achizhamba akafanana nomunhu anorengerera mumwe rushambwa. Imba inoramba ichidonha pazuva remvura nomukadzi ane pamuromo zvakafanaka. Kuedza kumuvigiridza kwakafanana nokuvigiridza mhepo kana munhurume kupfumbata mafuta. Simbi inorodza imwe simbi vanhu vanofanira kuvandudzana. Munhu anokudza muonde anozodya muchero wawo uye munhu anochengetedza tenzi wake anozoremekedzwa. Sezvinoita mumvura uso hunoona uso imomo mumwoyo munhu anozviona kuti munhui. Nzvimbo yavafi nenzvimbo yokuparadza hazviguti mazisowo avanhu haaguti. Bisiro ndere sirivha virira ndere ndarama, mbiri yomunhu inoonesa zvaari. Unogona zvako kutswa benzi muduri pamwechete nembeswa asi upenzi hwaro haubve pariri. Nyatsoziva mamiriro ezvipfuwo zvako unyatsochengetedza mombe dzako nokuti upfumi haugari narini narini ndaza inogara nokusingaperi here? Kana uswa hwapera ruswiswi rwukabuda zvinofura mombe mumakomo zvaunganidzwa hwayana dzinokuwanisa zvokupfeka, mari yembudzi inokutengera munda uchawana mukaka wembudzi wokudya wakakwana nokudya kwemhuri yako, uye kwokuriritirawo vashandi vako vechikadzi. Akaipa anotiza pasina anomudzingirira asi vakarurama vane chivindi kunge shumba. Munyika mukapandukwa vatongi vanowanda asi kana muine munhu anonzwisisa ane ruzivo inoenderera mberi yakatsiga. Murombo anodzvinyirira vamwe varombo zvakaipa imvura inopurana zvayo isina chokudya chainosiya. Vanoramba mutemo vanorumbidza vaipi asi vanochengeta mutemo vari kutorwisana navo. Vaipi havanzwisisi ruenzaniso asi vanotsvaka Tenzi vanonyatsorunzwisisa. Zviri nani kuva murombo ari pachokwadi pane mupfumi ane tsika dzakanzvongama. Mwana anochengeta mutemo ano ungwaru, anoshamwaridzana nemharadzi dzevana anonyadzisa baba vake. Munhu anowanziridza upfumi hwake nechimbadzo kana kungowedzerawo anounganidzira munhu ane tsiye nyoro kuvarombo. Kana munhu aisa zvimiti munzeve kumutemo kunyange munamato wake unosemesa. Munhu anotsautsira mururami kunzira yakaipa anowira mugomba rake asi vanhu vasina mhaka vachawana nhaka yakanaka. Mupfumi anozviona semungwaru asi murombo anonzwisisa anomubata zvaari. Kana vakarurama vakakunda, kunopemberwa vakaipa vakawana chinzvimbo chapamusoro vanhu vanozvivanza. Munhu anoviga unyangadzi hwake haabudiriri, asi anoreurura achisiyana nazvo anonzwirwa tsitsi. Akakomborerwa zvake munhu ane kakuzeza nguva dzose asi munhu anoomesa mwoyo achapinda nhamo. Mutongi wakaipa akaita seshumba inodzvova kana sebere rinorwisa varombo. Mutongi asinganzwisisi munhu anobata vanhu noutsinye. Asi munhu anovenga kuwana zvinhu nenzira isiriyo anowana upenyu hurefu. Munhu anoremerwa nemhosva yokuuraya munhu iguva raakazviparira, regai akadaro. Munhu anoita zviri pachokwadi, achanunurwa asi ano upenyu hwoujarijari achatopaputsika. Munhu anorima munda wake, anowana chokudya chakawanda asi munhu anotandana nezvisina maturo urombo huchamuwandira. Munhu akavimbika, anowana makomborero akawanda asi munhu anoda kukurumidza kupfuma haazoregi kurangwa. Rusarura rwakaipa, pamusana pechidimbu chechingwa munhu anotogona kuva wakaipa. Munhu anonyima anomhanyirira upfumi asi haazivi kuti achashaiwa Munhu anotsiura mumwe ndiye anotozoremekedzwa kupinda muzvambarara wokunyengedza norurimi rwake. Anobira baba kana amai vake achiti hakusi kukanganisa ishamwari yemharadzi. Munhu anemakaro anomutsa muchokoto asi anovimba naTenzi anopfumiswa. Munhu ane umbimbindoga ibenzi; anoita zvinhu noungwaru anonunurwa. Munhu anopa kuvarombo hapana chaanozoshaya asi asingavacheuki anova nejambwa guru. Vaipi vakawana chinzvimbo chapamusoro vanhu vanozvivanza, kana vakaparara vakarurama vanobudirira. Munhu anotsiurwa kakawanda asinganzwi, achayerekana atyoka zvisingarapiki. Kana varurami vari ivo vari kutonga vanhu vanofara asi kana vaipi vari ivo varikutonga vanhu vanodemba. Munhu anoda ungwaru anoita kuti baba vafare asi anoita ushamwari nezvifeve anozviparadzira upfumi hwake. Mambo akatonga noruenzaniso nyika inogarika asi anopopera zvipo anoiparadza. Munhu anobata mumwe wake kumeso ari kutomuteya tsoka nemambure. Muipi anoteyewa nechakaipa chake asi mururami anoimba achifara. Mururami anoziva zvinokodzera kuitirwa varombo asi akaipa haanzwisisi izvozvo. Vashori vanonyandutsa guta asi vangwaru vanopodza hasha. Kana mungwaru akaitirana nharo, nebenzi, benzi rinopengereka richiseka-seka, hapaiti runyararo. Vaurayi vanovenga vari pachokwadi, vakaipa vanotsvaka kumupedzisa upenyu. Benzi rinoratidza hasha dzaro dzose asi munhu akangwara anozvibata achizvidzora. Kana mutongi akateerera makuhwa makurukota ake ose achava vanhu vakaipa. Chavanofanana vapfumi navarombo chimwechete chokuti Tenzi ndiye anovhenekera meso vose vari vaviri. Kana mambo akatonga varombo zvakarurama chigaro chake choumambo chinobva chadzika midzi. Shamhu nokutsiura zvinopa ungwaru asi mwana akaregererwa anonyadzisa amai vake. Kana vakaipa vari ivo vari kutonga kutadza kunowanda, asi vakarurama vachavaona vachiputsika. Dzidzisa mwana wako, iye achakupa zororo achakufadza mwoyo. Kana pasina zviratidzo vanhu inova njake njake; asi akakomborerwa zvake anochengeta mutemo. Muranda haadzoreki namazwi chete kunyange akanzwisisa haamboita hanya nazvo. Ukaona munhu anokurumidza kutaura, benzi rine charinotowana kupinda iye. Munhu akaregerera muranda kubvira pauduku hwake mushure mezvo anomugarira nhaka. Munhu wehasha anomutsa manyongori nyahasha anokonzera kutadza kwakawanda. Kuzvikudza kunoderedza munhu pasi asi munhu anozvirereka, anozokudzwa. Anobatsirana nembavha anovenga upenyu hwake anonzwa zvake kurengererwa rushambwa kunoitwa mudare asi hapana chaanodura Kuzeza vanhu iriva asi anovimba naTenzi hapana chinomuwana. Vazhinji vanotsvaka chizivano nomutongi asi anotonga zvine ruenzaniso ndiTenzi. Munhu asina ruenzaniso anosemesa kuvarurami asi ari pachokwadi anosemesawo kumuipi. Mashoko aAguri mwanakomana waJake wokuMasa. Gamba irori rakataura kuna Itieri kuna Itieri naUkari richiti, “Ndiri benzi chairo romunhu, handinzwisisi somunhu. Handina kudzidza ungwaru uye iye Anoera handimuzivi. Ko ndiani akambokwira kudenga akaburuka? Ndiani ati aunganidza mhepo muchanza chake? Ndiani amboti aputira mvura mujira? Ndiani akaisa miganhu yose yenyika? Zita rake ndiani, mwana wake mukomana zita rake ndiani, kana uchiriziva? Izwi roga roga raMwari rakaoneswa kuti nderechokwadi. Ndiye nhoo yavanopotera kwaari.” Usawedzere kumazwi ake angadaro akakutsiura wozoonekwa kuti uri munyepi. Ndinokukumbirai zvinhu zviviri ndisati ndafa, musandinyime. Ndibvisirei pandiri kunyepa nokureva nhemha musandipe kupfuma kana kuva murombo. Ndipeiwo chikamu changu chokudya. Ndingadaro ndikati tundu kuzara ndikazokurambai ndichiti Tenzi ndiani kana kuti ndingazova murombo ndikaba, ndikazoshoresa zita raMwari wangu. Rega kuudzisira muranda kuna tenzi wake angadaro akakurengerera rushambwa ukazova nemhosva. Kuna vamwe vanhu vanorengerera madzibaba avo rushambwa vasingati amai vavo ngavakomborerwe. Kuna vamwe vanhu vanozviona savakachena asi ivo vasina kuchenurwa pakun'ora kwavo. Kuna vamwe vanhu; katarisiro kavo ndokokuzvikudza chaiko matarisiro avo kuzvida koga-koga. Pana vanhu vane meno anenge mapakatwa mazino avo mapanga chaiwo okuzhanya nawo varombo panyika navasina chavanacho pakati pavanhu. Chikwekwe chine vana vaviri: Ndipe naNdipe. Pane zvinhu zvitatu zvisingaguti kutosvika zvina zvisingati ndaguta ndezvizvi zvinoti: Nzvimbo yavafi mukadzi asina mbereko nyika isingaguti mvura nemoto usingati zvakwana. Munhu aneziso rinoshora baba risingade kuona zvokuteerera amai achachochonhwa namakunguwo omubani; achadyiwa namagora. Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo zvinotosvika zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti: Nzira yegondo mudenga nzira yenyoka paruware nzira yechikepe mugungwa guru maitiro omurume nomusikana. Ndizvo zvinoita pfambi inodya yopukuta muromo yoti hapana kutadza kwandaita. Kune zvinhu zvitatu zvinodengenyesa nyika kutosvika zvina zvaisingagoni kutirira zvinoti: Muranda anova mambo, benzi kana raguta, mukadzi asingadiwe azowana murume uye kana musikana webasa akatsiva amai vemba. Pane zvinhu zvina panyika zvidiki zvazvo asi zvina ungwaru, ndezvizvi zvinoti: Masvosve rudzi rusina simba asi anozviunganidzira chokudya pazhizha. Mbira hadzisi rudzi rune simba asi dzinoita misha yadzo mumabwe. Mhashu hadzina mambo asi dzinofamba dzakaita rundaza. Unogona kubata dzvinyu muruoko asi woriwana riri mumuzinda wamambo. Kune zvinhu zvitatu zvinozvidadisa pakufamba kutosvika zvina zvinozvikakanyadza kunoti shumba ine simba kupinda dzimwe mhuka isina yainozeza kwouya jongwe rinokekeredzera, kwotiwo gotora namambo ana varwi vake. Kana wakaita upenzi hokuzvitutumadza kana une twawanga uchironga twakaipa bata muromo wako. Kusvina mukaka kunowanisa ruomba kudzvanya mhuno kunobudisisa ropa, saizvozvo kudzvikinyidza hasha kunomutsa gakava. Mashoko aRimueri mambo wokuMasa aakadzidziswa naamai vake. “Chii ichocho mwanangu, ndochii ichocho mwana wokubereka nhai mwana wangu wechitsidzo changu. Usazviise mumaoko avakadzi uchizvipa kuna vanoparadza madzimambo. Hachisi chinhu chamadzimambo Rimueri, kunwa waini kana vatongi kuda hwahwa, nokuti vangadaro vanwa vakakanganwa zvakatemwa vachizokanganisa zvinofanira kuitirwa varombo. Doro rinopiwa munhu avakuparara wainiwo vakasuruvara zvokufa. Ndivo vanganwe zvavo kuti vakanganwe urombo hwavo kuti vasayeukezve nhamo dzavo. Taura wakamiririra mbeveve umiririre zvinofanira kuitirwa vatamburi. Zarura muromo wako utonge zvakarurama umiririre varombo navashaiwi.” Ndiani zvake akawana mukadzi wakanaka anokosha zvikuru kupinda zvishongo. Mwoyo womurume wake unovimba naye. Haashaye chaanowana. Anomuitira zvakanaka kwete zvakaipa mazuva ose oupenyu hwake. Anotsvaka wuru netseta achishanda nomwoyo unoda. Akaita sengarava dzomushambadzi anobva nechokudya chake kure. Anomuka huchiri usiku achipa mhuri yake zvokudya uye basa kuvasikana vake vebasa. Anotsvaka munda wokutenga, anosima munda wemigirepisi nesimba remaoko ake anogwinyisa chiuno nokusimbisa maoko, anoona kuti zvinhu zvake zvinofamba zvakanaka rambi rake haridzimi usiku hwose. Anotambanudzira maoko ake kuchivhimbo chewuru achibata chokurukisa neminwe yake. Anozarura ruoko rwake kupa varombo achitambanudzira maoko ake kune vasina chavanacho. Haatyiri imba yake chando nokuti mhuri yake yose inenge yakapfeka zvitsvuku. Anozvigadzirira oga zvokufukidza nazvo mubhedha wake, hanzu dzake ndedzerineni yakanakisisa dzeruvara rwohute. Murume wake munhu anozivikanwa padare kana agere pakati pavakuru-vakuru venyika anoita machira erineni achiatengesa achiwanisa vashambadzi mabhande. Simba nechiremera ndozvipfeko zvake, anotosekerera mazuva ari kuuya. Anozarura muromo wake noungwaru uye zvokudzidzisa tsitsi ndozviri pamuromo pake. Anoongorora kuti mhuri yake yakagara sei, haadyi chokudya chounyope. Vana vake vanosimuka vachimuti, “Makakomborerwa,” uyewo murumwe wake anomurumbidza achiti, “Vakadzi vazhinji vakaita zvakanakisisa asi iwe unovakunda vose.” Kuyevedza kunonyengedza, runako haruna maturo asi mudzimai anotya Tenzi anofanira kurumbidzwa. Anofanira kurumbidzwa pamusana pezvaakaita namaoko ake ngaarumbidzwe namabasa ake padare. Mashoko omuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo womuJerusaremu. Hazvinzwisisiki hazvinzwisisiki, ndozviri kutaura muparidzi, hazvinzwisisiki, zvinhu hazvinyatsonzwisisika. Nhai imi munhu anofireiko nebasa chaizvo, nokufondoka kwose kwaanoita pasi pezuva? Chimwe chizvarwa chinoenda chimwewo chizvarwa chichiuya asi nyika inoramba iripo chete. Zuvawo rinobuda, zuva rinodoka romhanyazve iwee kunzvimbo kwaro kwarinobuda! Mhepo inoenda kumaodzanyemba yopishinukazve yoenda kuchamhembe, ichingotendererawo, ichingotenderera. Mhepo inoramba ichingoenda nemayamboenda namo imomo. Nzizi dzose dzinoyerera kugungwa asi gungwa harizari. Nzizi kwadzinoyerera dzinoyererazve ikoko. Zvinhu zvose zvinofinha, hapana angagone kuzvitaura. Ziso hariguti kuona kana nzevewo haiguti kunzwa. Zvakamboitika zvichaitikazve. Zvakamboitwa zvichaitwazve. Hapana chitsva pasi pezuva. Panechinhu here chinganzi ona chinhu icho chitsva. Chaivapo kare panguva yakare. Hakuna chete anoyeuka zvinhu zvakare. Hakunawo achazoyeuka panevachauya mushure macho. Uye kuyeuka pachange pasina pakati pane vachauya mushure machowo. Ini Muparidzi ndakatonga Isiraeri ndiri muJerusaremu. Ndakazvipira kunyatsotsvaga nokuongorora noungwaru zvose zvinoitika pasi pedenga. Aiwaiwa! Mutoro wacho wakapiwa vanhu naMwari kuti vatakure haufadzi. Ndakatarisa mabasa ose anoitwa pasi pezuva ndikaona zvangu kuti zvose hazvinzwisisiki uye kuti kunongova kudzingirirana nemhepo zvako. Chakakombama hachitasanudziki chisipo hachigone kuverengwa. Ndakambozvifunga zvangu mumwoyo ndichiti, “Ini ndakawana ungwaru hunokunda vamwe vose vakanditangira kuva vatongi veJerusaremu. Zvakanyatsondipindawo mumwoyo kuti chinonzi ungwaru chii uye kuti chinonzi ruzivo chii.” Ndakazvipira kwazvo kuti ndizive kuti chinonzi ungwaru chii uyewo kuti chinonzi upenzi chii. Ndakaonawo ikoku kuri kungodzingirirana zvako nemhepo. Chandinodariro ndechokuti ungwaru hukawanda nhamowo dzinobva dzaita murwi kuwanda. Anozviwanzira ruzivo anozviwanzirawo matambudziko. Ndakafunga mumwoyo kuti regai ndimboonawo kuti kuzvifadza kwakaitawosei ndinyatsombosasana zvangu. Ndakaonawo izvozviwo zviri zvisinganzwisisiki. Ndakati kuseka kupenga chaiko uye kuzvifadza hakuna chimuko. Ndakati regai ndimbotsvaka zvokuzvifadza muviri wangu newaini asi mumwoyo mangu ndichitungamirirwa noungwaru kuti ndinyatsonzwisisa kuti chii chinonzi upenzi kuitira kuti ndione kuti ndezvipi zvakanakira vanhu kuti vaite pasi pedenga mazuva mashoma oupenyu hwavo. Ndakaita mabasa makuru. Ndakazvivakira dzimba, ndikazvirimira minda yemigirepisi. Ndakazviitira bindu nenhandare dzokutandarira ndikadyaramo miti inobereka michero yose zvayo. Ndakachera matsime okuti ndiwane mvura yokudiridza nayo munda wemiti yainge ichikura. Ndakatenga varanda vechirume nevechikadzi uye ndaive navaranda vakaberekerwa mumusha mangu. Ndaivawo nematanga emombe nezvipfuwo zvakawanda kupinda ani zvake akagara muJerusaremu ndisati ndavapo. Ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama noupfumi hwamadzimambo namatunhu. Ndakawana vaimbi vechirume nevechikadzi navarongo vakawanda, zvinhu zvinofarirwa navarume. Saizvozvo ndakava mukurumukuru zvokutokunda vaiva muJerusaremu ndisati ndavapo uye ndakangoramba ndiino ungwaru hwangu. Chainge chadiwa nemeso angu handina kuzvirambidza. Chaidawo mwoyo wangu chokuzvifadza handaizvirambidza. Ndainzwa mwoyo kufara nebasa rangu rose. Ndiwo waivawo mubayiro wangu webasa rangu rose. Ndazoti rangarirei basa rose ramaoko angu nokushingaira kwandakaita pariri, ndakaona zvose zvisinganzwisisiki uye kuri kudzingirirana nemhepo uye kuti hapana chaunowana munhu pasi pedenga. Ndakatendeuka kuti nditarise nyaya yezvoungwaru, noupenzi noutununu nokuti munhu anotsiva mambo chiiwo chaangaite kusiya zvanga zvichiitwa namambo? Ndakazoona kuti ungwaru hunopfuura upenzi sokupfuura kunoita chiedza rima. Mungwaru anogara akazarura maziso ake asi benzi rinofamba murima asiwo chandinoziva ndechokuti firo yavo vose imwechete. Ndakazviti nechomumwoyo, “Chinowira benzi chinondiwanawo zvino chandakafiririrawo zvangu kuva mungwaru chii ipapa.” Ndakazvifunga mumwoyo ndikati, “Kunyange izvozvi hazvinzwisisiki.” Nokuti zvakangoita mungwaru ndizvozvowo zvine benzi zvokurangarirwa nokusingaperi hapana. Samaziviro atinoita, mumazuva ari kuuya, vanenge vatokanganwika kare. Pfiro yomungwaru ndiyo ndiyo yebenzi! Naizvozvo ndakavenga upenyu nokuti zvinoitwa pasi pedenga zvakandiipira. Chiripo ndechokuti zvose hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo. Ndakavenga basa rangu rose randaishingairira kuita pasi pedenga sezvandinoona kuti ndinofanira kurisiira michero yaro anonditevedzera. Ndiani angazive kuti anenge ari mungwaru here kana kuti benzi? Asi iye achave muridzi wezvinhu zvose zvandakashanda ndichishandisa ungwaru hwangu pasi pedenga. Izvozviwo hazvinzwisisiki. Naizvozvo ndakapinduka ndorasa mwoyo pabasa rangu randakaita pasi pedenga nokuti dzimwe nguva munhu anenge ashanda noungwaru noruzivo uye noumhizha anofanira kusiya zvose zvokuzofadza zvazvo munhu asina kuzvishandira. Izvozvi hazvinzwisisiki uye zvakaipa kwazvo. Iye munhu anowanei nokushingaira nokutambura kwaanoita pasi pedenga? Chandinodariro ndechokuti mazuva ose omunhu anongova matambudziko chete nenhamo. Kunyange usiku pfungwa dzake hadzizorori. Izvozviwo hazvinzwisisiki. Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari; nokuti pasina iye ndiani angadye ndiani angapafare? Nokuti munhu, anofadza Mwari anomupa ungwaru neruzivo nerufaro. Asi mutadzi anomupa basa rokunhongerera achiunganidza zvinhu zvokuzopiwa zvazvo kumunhu anofadza Mwari. Izvozviwo zvinopazamisa musoro uye kunongova kudzingirira mhepo. Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga. Pane nguva yokuberekwa nenguvawo yokufa. Pane nguva yokusima nenguvawo yokudzipura zvakasimwa. Pane nguva yokuuraya nenguvawo yokuporesa. Pane nguva yokupaza nenguvawo yokuvaka. Pane nguva yokuchema nenguvawo yokuseka. Pane nguva yokuungudza nenguvawo yokupembera. Pane nguva yokukanda mambwe uko nokoko nenguvawo yokuunganidza mabwe. Pane nguva yokumbundirana nenguvawo yokusambundirana. Pane nguva yokutsvaka nenguvawo yokurasa. Pane nguva yokuchengeta nenguvawo yokurasa. Pane nguva yokubvarura nenguvawo yokusona. Pane nguva yokunyarara nenguvawo yokutaura. Pane nguva yokuda nenguvawo yokuvenga. Pane nguva yehondo nenguvawo yorugare. Ko iye munhu anoshanda anowanei chaizvo nokushingaira kwake kwaanoita nebasa? Ndakaona zvangu basa rakapiwa vanhu naMwari kuti vawane chokuita. Akaita kuti zvinhu zvose zvive nenguva yazvo yakafanirana nazvo, uye akaisa muvanhu pfungwa yenguva isina mugumo. Asi munhu asingakwanise kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubvira pakutanga kusvika pamugumo. Chandinoziva ndechokuti hapana chakanaka kuvanhu sokufara zvavo nokufarikana mazuva oupenyu hwavo hwose. Chimwewo ndechokuti chipo chaMwari kumunhu kuti munhu wose adye zvake, anwe uye kuti afadzwe nebasa rake rose raanoita. Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvicharamba zviripo nokusingaperi, hapana chingawedzerwe pazviri kana chingabviswe pazviri. Mwari akaita izvozvo kuitira kuti vanhu vamutye. Chiripo, chakanga chiripo kare, chichazovapo, chakanga chiripo kare Mwari achiitawo kuti zvakamboitika zviitikezve. Ndakaonawo pasi pedenga kuti panofanira kuva noruenzaniso ipapo ndipo pano uipi panofanira kuva noururami ipapo ndipo pano uipi. Ndakazviti nechomumwoyo, “Mwari achatonga vakarurama navakaipa nokuti akatemera chinhu chimwe nechimwe nguva yacho uye nguva yebasa roga roga.” Ndakazvifungawo mumwoyo nezvavanhu kuti Mwari anenge achivaedza zvake kuti avaratidze kuti ivo pachavo imhuka. Zvinowira vanhu ndizvowo zvinowira mhuka, munhu anofa, mhukawo inofa. Zvinofema mweya mumwechete. Munhu haana chaanokunda mhuka nacho nokuti zvose hazvinzwisisiki. Zvose zvinoenda kunzvimbo imwecheteyo. Zvose zvinobva muvhu uye zvose zvinodzokerazve kuvhu. Ndiani angazive kuti mweya womunhu unokwira kumusoro here kana kuti mweya wemunhu unodzika pasi muvhu. Ndokusaka ndakaona kuti hapana chakanaka kumunhu panekufadzwa nebasa rake nokuti ndiwo mugove wake. Hapana angagone kuita kuti aone zvichazoitika kwaari. Uyewo ndakazorangarirazve ndikaona kudzvinyirira kunoitwa pasi pedenga. Panoti misodzi yokudzvinyirirwa kunoitwa vanhu vasina anovanyaradza, vanodzvinyirira vamwe zvakaipa ndivo vane masimba vasina anovanyaradza. Ndakakungura kuti zvavo vakafa, vakatofa kare vari nani zvavo pane vapenyu, vachino upenyu. Asi ari nani kupinda vose vari vaviri munhu asina zvake kumbovapo asina zvake kumboona zviito zvakaipa zvinoitwa pasi pedenga. Uyewo ndakaona kuti kushingaira nebasa kose kunoitwa nokubudirira kose kunoitwa kunobva mumapitse anoita munhu kune mumwe wake. Kana izvozvi hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo. Benzi romunhu rinogara maoko rigopera muviri nokuonda. Asi zviri nani kuva neruoko rumwechete runerunyararo pane maoko maviri ari kushingaira nebasa achidzingirira zvawo mhepo. Panezvimwezve zvandakaonawo kuti hazvinzwisisiki pasi pedenga. Pangave nomunhu anongova oga, asina mwana kana munun'una asi asingazorore kushingaira nebasa maziso ake asingambogutsikani noupfumi hwake hwose nokuti haambozvibvunza kuti, “Ko wandiri kutamburira kudai ndiani ndichizvishaisa mufaro zvangu.” Izvozviwo izvi hazvinzwisisiki uye ibasa risina chinofadza mariri. Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka. Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza. Chimwezve ndechokuti vaviri vakarara pamwechete vanodziirirwa. Ko anenge ari oga anodziirwa sei? Munhu angagone zvake kukurira munhu ari oga asi vaviri vanogona kumirisana naye. Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka. Zvirinani kuva munhu wechidiki asi ane ungwaru kupinda kuva mambo akwegura asi asina ungwaru asingagone kugamuchira mazano avamwe, angave zvake munhu akabva kujere achienda paumambo kana kunge akaberekwa ari murombo munyika yamambo wake. Ndakaona vose vapenyu vanofamba-famba pasi pedenga uyewo ndakaonawo mumwe wechidiki achitora nzvimbo yamambo achitungamirira vanhu vasingaverengeki kuwanda. Zvakadaro zvazvo vaizotevera mushure make havana kumufarira. Izvi hazvina maturo uye kunongova kudzingirira mhepo. Chenjerera mafambiro ako kana uchienda kuimba yaMwari. Zviri nani kuendako pamusana pokuda kuteerera pano kundopira chibayiro chamapenzi nokuti havazivi kuti vari kuita zvakaipa. Pakutaura pana Mwari rega kumedza kutsenga uchakuda kana kupindwa nomwoyo wokukurumidza kutaura pana Mwari nokuti Mwari ari kudenga iwe uri pasi pano. Saizvozvo zvaunotaura ngazvive zvishoma. Kurotomoka kunouya kana twunonetsa twawanda. Ndizvozvowo nezvinotaurwa nebenzi kana twarinotaura twawanda. Kana wapika mhiko kuna Mwari rega kunonoka kuita zvawapika zvacho. Haafariri mapenzi. Ita zvawakapika kuita. Zviri nani kusapika mhiko panokupika mhiko uchizorega kuita zvawapika. Rega kuti murumo wako ukutungamirire kutadzira Mwari, uye usati kumutumwa kwaingova zvako kukanganisa. Seiko uchida kuti Mwari ashatirwe nezvaunotaura achizoparadza basa ramaoko ako? Kurotomoka kungawande zvako, zvinotaurwa zvingawande zvazvo asi chako iwe itya Mwari. Kana ukaona mudunhu varombo vachidzvinyirirwa, uye ruenzaniso nokururama zvakandwa pasi ngazvirege kukushamisa nokuti mukuru-mukuru anoongororwa nomukuru kwaari uye kuna vamwe vakuruwo pamusoro pavo. Chinhu chakanaka kwazvo kuti nyika ive namambo asi iri nyika inorimwa. Munhu anoda mari haaguti mari uye anoda upfumi nokubereka kwahwo izvozviwo hazvinzwisisiki. Upfumi hukawanda vanohudya vanowandawo muridzi wahwo chaanowana chii mahuri kusiya kungohuona nameso? Hakusi kunaka ikoko kwakaita hope dzomushandi kunyange adya zvizhinji kana zvishoma, kuwandirwa kwomupfumi nomupfumi kunomushaisa hope. Kune chimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga chokuti munhu anozviunganidzira upfumi hwozomukuvadza. Upfumi ihwohwo anorasikirwa nahwo mukuita zvakaipa sarei mumaoko asisina chaanacho asi iye ari baba womwana Sokubuda kwaakaita mudumbu maamai vake ndomuendero waachaita ari musvi, sokuuya kwaakaita pasina chaangatakure chebasa rake chaangaende nacho mumaoko. Kunyange ichochi chinhu chakaipisisa; samauiro aakaita ndiwo maendero aachaita. Chaakawana chii zvino zvaakashandira mhepo zvayo kudaro achipedza mazuva ake ose murima nomukutambura mumwoyo nokurwara nokushatirwa. Chandakazoona zvangu kuti chinhu chakanaka uye chinokodzera ndechokuti munhu adye zvake achinwa achifara zvichibva pabasa raanoshingairira kuita pasi pedenga mazuva mashoma oupenyu hwake aakapiwa naMwari nokuti iwoyu ndiwo mugovewo wake. Ichiwo chipo chaMwari chokuti munhu wose anopiwa upfumi nepfuma nesimba rokugona kufadzwa nazvo, agone kugamuchira mugove wake nokuwanawo rufaro runobva mubasa raanoshingairira kuita. Chikonzero chacho ndechokuti haambonyatsorangarira mazuva oupenyu hwake nokuti Mwari anomuita kuti agare achifara mumwoyo make. Panechimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga chinoremera vanhu kwazvo. Munhu anopiwa naMwari upfumi nepfuma noukuru zvokuti haana chaanenge achida chaanoshaya asi Mwari orega kumupa simba rokuti afadzwe nazvo asi mutorwa ndiye wofadzwa zvake nazvo. Izvi hazvinzwisisiki uye chinhu chinorwadza. Munhu anogona kuva nevana zana agogara makore mazhinji zvokuti anova namakore mazhinji iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka zvoupenyu uye asingavigwe kana azofa. Ini ndinoti mwana aberekwa nguva yake yokuberekwa isati yasvika ari nani kupinda iye. Kuuya kwake hakunzwisisiki, anopinda murima, zita rake richibva rakwidibirwa nerima. Chimwezve ndechokuti haana kuona zuva, kana kumboziva chinhu asi uyu anowana zororo kupinda iye. Kunyangwe akagara chiuru chamakore chakapetwa kaviri iye asingawani rufaro mune zvinhu zvakanaka, handiti vanhu vose vanoenda kunzvimbo imwecheteyo? Kushingaira nebasa kunoita munhu, anenge achishandira muromo asi havi yokuda kudya haiperi. Ko munhu ane ungwaru chii chaanokunda nacho benzi uyewo murombo anowanei nokuziva kwake kuzvibata pane vanhu? Chinhu chauri kuona neziso chiri nani pane chauri kusuwira izvozviwo hazvinzwisisiki. Kunongova kudzingirira mhepo. Chinhu chipi nechipi chakambovapo chikatotumidzwa zita munhu anozivikanwa kuti chii uye haakwanisi kukwidzana dare neane simba kupinda iye. Panowanda zvinotaurwa, zvisinganzwisisiki zvinowandawo chazvinobatsira munhu chii? Ndiani angazive zvinganakire munhu paupenyu hwake hupfupi husina pahwo hunopfuura somumvuri. Ndiani angakwanise kutaurira munhu zvichazoitika mushure pasi pedenga. Zita rakanaka riri nani pano mafuta anokosha uye zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa. Zviri nani kuenda kuimba iri kuchemwa rufu pano kuenda kuimba yemafaro. Nokuti rufu ndiwo maperero omunhu wose. Vapenyu vanofanira kuzvichengeta mumwoyo izvozvo. Kusuruvara kuri nani pano kuseka mwoyo unofara unogona kuvanzwa muuso hwakasuwa. Mwoyo yavangwaru iri muimba inochemwa rufu asi mwoyo yamapenzi iri muimba yemafaro. Zviri nani kuteerera kutsiura kwomungwaru pano kuteerera rwiyo rwamapenzi. Kubwabwatika kunoita minzwa pasi pebhodho, ndozvakangoitawo kuseka kwamapenzi izvozvowo hazvinzwisisiki. Kudzvanyirira mumwe zvakaipa kunoita kuti mungwaru ave benzi. Pfumbamuromo inokanganisa pfungwa dzomunhu. Kupera kwechinhu kuri nani pane kutanga kwacho. Munhu ano mwoyo murefu ari nani pane ane mweya wokuzvikudza. Usakurumidze kushatirwa nokuti mumwoyo yamapenzi ndimo mumusha madzo hasha. Usabvunze kuti, “Ko seiko mazuva akare akanga akanaka kupfuura anhasi uno? Mubvunzo wako haubvi muungwaru.” Sezvakangoita nhaka, ungwaru chinhu chakanaka chinobatsira vachiri kuona zuva. Sokuchengetedza munhu kunoita mari ndizvozvowo zvinoita ungwaru kuchengetedza munhu uye chakanakira ruzivo ndechichi chokuti ungwaru hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo. Rangarira zvakaitwa naMwari. Ndiani angatwasanudze chaanenge akombamisa? Pamazuva okubudirira, fara, kana zvinhu zvaipa mazuvayo, rangarira kuti Mwari ndiye akaita mazuva okutanga aya namazuva echipiri aya kuitira kuti munhu arege kuziva zvichazoitika. Paupenyu hwangu husina zvahwo maturo ndakaona zvose izvi zvokuti. Munhu wakarurama anofa nyangwe akarurama zvake anofa. Kwouyawo munhu akaipa kunyange akaipa anogara upenyu hurefu muzviito zvake zvakaipa. Usapfurikidze pakururama kwako uye rega kupfurikidza pakungwara unodirei kuzviparadza. Rega kupfurikidza pauipi hwako kana kuva benzi chaunofira nguva yako isati yasvika chii? Rega kubva wati nechimwechete tetere uchikanganwa chimwe chiya nokuti munhu anotya Mwari anobudirira mune zvose zviri zviviri. Ungwaru hunosimbisa mungwaru kupinda gumi ravatongi vari muguta. Hakuna mururami panyika anoita zvakanaka asingatadzire Mwari. Usangoteerera zvose zvose zvinotaurwa navanhu ungadaro ukatonzwa musevenzi wako achikureva. Iwe unoziva mumwoyo mako kuti wakamboreva vamwe kazhinji. Zvose izvi ndakazviedza neungwaru ndakati regai ndingware asi ungwaru hwaiva kure neni. Zvakaitika kare zviri kure uye zvakadzama, zvakadzamisisa. Ndianiwo zvake angazviwane? Ndakazosvika pakuzvibvunzurudza mumwoyo ndikazviedza, ndikatsvagisisa ndichivhima ungwaru neuwandu hwezvinhu uye kuti ndizive kuipa kwoupenzi uyezve kuti upenzi urema chaiho. Ndakaona kuti munhukadzi anorwadza kupinda rufu anongova misungo yoga yoga, mumwoyo wake mimbure chaiyo maoko ake zvikachikiro chaizvo. Munhu akarurama pana Mwari anomupunyuka asi mutadzi anokachikirwa naye. Muparidzi anoti izvi ndizvo zvandawana ndichinyatsofungisisa chinhu chimwe nechimwe kuti ndiwane kuwanda kwazvo. Ndakatsvaka kwenguva ndefu pasina chandakawana. Ndakawana murume mumwechetechete akarurama mukati mechiuru asi pakati pavakadzi vose zvavo hapana wandakawana. Chandakaona chete ndechichi chokuti Mwari akasika munhu akarurama asi vanhu ndivo vakazozvitsvakirawo zvavo twakawanda. Ndiani angaenzaniswe nomungwaru. Ndianizve angazive kutsanangura zvinhu. Ungwaru hunopenyesa uso hwomunhu huchipa munhu uso hwakasununguka. Ini ndinoti, “Teerera zvinenge zvataurwa naMambo.” Pamusana pemhiko kuna Mwari ibva paari; usanonoke munzvimbo yenjodzi yakadaro nokuti mambo anogona kuita chose chaada kuita. Nokuti zvinenge zvataurwa namambo ndizvozvo. Ndiani angamuti, “Ko chii chamaita?” Munhu anoteerera mutemo hapana chinomuwira mungwaru anoziva mumwoyo make nguva kwayo nezvinofanira kuitwa. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho namaitirwo acho kunyange munhu achiremerwa nenhamo nokuti hapana anoziva zvichaitika uye ndiani angamutaurire kuti zvichaitika sei. Hapana munhu anokwanisa kutonga mweya kana kuramba akauchengetedza. Hapanawo ane simba nezvezuva rokufa. Hondo haina wainosia uipi hauponesi mwene wahwo. Zvose izvozvi ndakazviongorora ndichirangarira zvose zvinoitwa pasi pezuva, munhu achiremedza vamwe asi zvichizomupfukira iye. Ndakaonawo vakaipa vachivigwa vakabuda munzvimbo tsvene vachirumbidzwa muguta ravaiita zvakadaro izvozvi izvi hazvinzwisisiki. Pamusana pokuti chirango chezvakaipa zvinenge zvaitwa hachisi kupiwa nokukurumidza, vanhu vanobva varamba mwoyo yavo yavakudisisa kuita zvakaipa. Mutadzi anogona zvake kuita zvakaipa kazana agove noupenyu urefu asi chandinoziva ndechokuti, “Vanotya Mwari ndovachanakirwa nezvinhu pamusana pokumutya kwavanoita. Muipi hazvimbomufambira zvakanaka. Uye haakwanisi kurebesa upenyu hwake somumvuri nokuti haatyi Mwari.” Pane zvimwe zvisinganzwisisiki zvinoitika panyika zvokuti kune varurami vanowirwa nezvinowira vakaipa kwouyawo vaipi vanowana mubayiro unowanikwa navakarurama. Ndakati izviwo hazvinzwisisiki. Saka ini ndinokurudzira kufara nokuti munhu haana chimwe chinhu pasi pedenga kusiya kudya nokunwa nokufara nokuti izvi ndizvo zvinobva mukushingaira kwake nebasa mumazuva ake oupenyu aakapiwa naMwari pasi pedenga. Pandakazvipira mwoyo kuti ndizive ungwaru uye kuti ndione basa riri kuitwa panyika ungatotadza kukotsira nazvo siku nesikati. Ndakaona kuti pamabasa ose aMwari, munhu haangakwanise kuziva basa rinoitwa pasi pedenga. Hazvina mhosva kuti munhu angashingaire sei kuzvitsvaka, haambozviwana. Kunyange mungwaru angati anozviziva haambokwanisa kuzviwana. Izvozvi zvose ndakazviongorora mumwoyo mangu ndichinyatsozviongorora ndikazviona kuti zviito zvavakarurama navangwaru zviri mumaoko aMwari, zvingave rudo kana ruvengo munhu haangazvizivi. Kwatiri vanhu zvose zvinenge zvisinganzwisisiki. Nokuti chinowira mumwe, ndicho chinowira vose, kungave kumururami kana kumuipi kuna vakanaka kana kuna vakaipa kuna vatsvene kana kuna vakan'ora kuna anopira chibayiro kana kuna asingapiri chibayiro. Zvakangofanana kumururami nokumutadzi. Anopika mhiko naasingapiki mhiko zvakangofanana. Izvi ndozvakaipa pane zvose zvinoitika pasi pedenga zvokuti tinowirwa nenhamo imwecheteyo. Chimwezve ndechokuti mwoyo yavanhu izere nouipi. Kana vari vapenyu chete kupenga kurimo mumwoyo yavo, mushure macho vanoenda kuvafi. Asi munhu achiri mupenyu navamwe vose vapenyu anechitarisiro nokuti imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa. Chandinodariro ndechokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa asi vakafa havana zvavanoziva. Mubayiro havachisina uye zvokuyeukwa hapachina. Rudo rwavo, noruvengo rwavo, uye shanje yavo zvakaparara. Havachisina kana mugove zvavo narini wose pazvinhu zvinoitwa pasi pedenga Enda udye chokudya chako nomufaro unwe waini yako nemwoyo unofara nokuti Mwari anofadzwa nezviito zvako. Gara wakapfeka zvichena. Gara wakazora mafuta mumusoro. Gara uchifara nomukadzi wepamwoyo pako mazuva ako ose ohupenyu hwako husina maturo aakakupa pasi pedenga nokuti ndiwo mugove wako paupenyu uye pabasa rako raunoshingaira kuita pasi pedenga. Chaunenge wagona kuita namaoko ako chiite nesimba rako rose nokuti kunzvimbo yavafi kwauri kuenda hakuna basa kana pfungwa kana ruzivo kana ungwaru. Chimwe chandakaona pasi pedenga ndechokuti shasha yokumhanya haisiyo inokunda vamwe vose. Gamba rokurwa harisiro rinokunda muhondo vangwaru havasivo vanowana chokudya vakachenjerawo havasivo vanowana upfumi, mhizha hadzisidzo dzinobudirira nguva yavanayo imwechete uye zvinowira mumwe zvinowira vose. Munhu haazivi nguva yake. Sezvinoitwa hove dzinobatwa mumumbure wakaipa uye seshiri dzinobatwa parugombe ndizvo zvine vanhu vanobatwa panguva yakaipa pazvinongoerekana zvavawira. Chimwewo chandakaona soungwaru ndechichi pasi pedenga uye kwandiri chinhu chikuru. Paivapo kamwe kaguta kaive navanhu vashoma makari. Mumwe mambo akakavinga akakakomba. Akavaka zvokukakomba nazvo. Mukaguta ikako maiva nemurombo mungwaru. Noungwaru hwake akanunura kaguta ikako asi hapana akamboyeuka murombo iyeyo. Asi chandinotaura ndechokuti ungwaru huri nani pane simba. Kunyange zvazvo ungwaru hwomurombo huchishorwa uye mazwi ake asingateererwi. Mashoko oungwaru anofanira kuteererwa kupinda kushevedzera kwomutungamiri anodaidzira pakati pemapenzi. Ungwaru huri nani pane zvombo zvehondo asi mutadzi mumwechete anogona kuparadza zvizhinji zvakanaka. Nhunzi dzakafa dzinogona kunhuwisa mafuta anonhuhwira, saizvozvo utununu hunogona kukanganisa ungwaru nokuremekedzwa. Pfungwa dzomungwaru dzakarerekerera kurudyi pfungwa dzebenzi dzakarerekera kuruboshe. Nyange richifamba munzira benzi harina njere rinotaura kumunhu wose kuti ibenzi. Kana mutongi wako akakuvirukira nehasha, usabve pabasa rako nokuti kuzvibata kwako kunoita kuti mhosva huru iregererwe. Pane chimwe chinhu chakaipa chandakaona pasi pedenga kuri kukanganisa kwavatongi. Mapenzi anoiswa pamabasa makuru asi vapfumi vachigara panzvimbo dzapasi ndakaona varanda vari pamabhiza machinda achifamba pasi netsoka savaranda. Munhu anochera hunza achiwira mairi, anoputsa madziro anorumwa nenyoka. Anokwakwanura mabwe anokuvadzwa nawo anotsemurawo huni anogona kukuvadzwa nadzo. Kana demo rakagomara pamusana pokuti harina kurodzwa, kurishandisa unofanira kutoita nesimba rakawanda. Pakadai ungwaru ndihwo hunoita kuti munhu abudirire. Nyoka ikaruma munhu isati yaitwa mapipi pairi, anoita mapipi wacho hapana chaanowana. Mazwi emungwaru anoita kuti adiwe navanhu asi muromo webenzi unoriparadzisa. Anotanga nokutaura zvisina maturo ozopedzisira nokupenga kwakaipa. Benzi rinotaura zvakawanda asi hapana munhu angazive zviri mune ramangwana. Ndiani angazivise munhu zvichazoitika mushure make? Benzi rinoshanda zvokufa zvokuti kunyange nzira yokuguta hariizivi. Inenhamo nyika inamambo achiri jaya zvaro uye inemachinda ayo anodyiririra mangwanani. Yakakomborerwa zvayo nyika inamambo akaberekwa kumbahuru uye inamachinda anodya nenguva kwayo vanodyira kusimba kwete kuraradza. Pamusana penungo denga remba rinowira mukati pamusana pokugara maoko imba inodonha. Chokudya chinoita kuti vanhu vafare waini inoita kuti upenyu hunakidze mari ndiye mupedzanhamo. Usatsoropodze mambo kunyange nechomumwoyo usashurikidze rushambwa vapfumi kunyange mumba mako mokurara nokuti shiri ingadaro ikatakura mazwi ako zvimwe chipembenene chingadaro chikandotaura zvinhu zvacho. Tumira mbeswa dzako mhiri kwamakungwa mushure zvichakudzorera. Isa mari yako kunhu kunomwe kana kusere nokuti hauzivi chinokuwira pasi pano. Kana makore azere mvura anoidururira pasi kana muti ukawira kumaodzanyemba kana kuchamhembe, paunowira ndipo paucharara. Munhu anogara akatarisa mhepo haambodyara uye anodyara akatarisa makore haakohwe. Sokusaziva kwaunoita kuti mweya unouya sei mumapfupa munhumbu memukadzi anepamuviri, saizvozvo hauzivi mabasa aMwari anoita zvose. Kumangwanani dyara mbeu dzako. Kumanheru usagare maoko nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chinoichi kana kuti icho pamwe zvose zviri zviviri zvinoita zvakanaka. Chiedza chakanaka, uye chinhu chakanaka kumaziso kuona zuva. Munhu akagara makore mazhinji, anofanira kufara maari ose asi ayeuke kuti mazuva erima achawanda zvose zvinozouya hazvinzwisisiki. Iwe wechiduku fara pamazuva ako ohuduku mwoyo wako ngaufare pamazuva ako ohuduku ita zvinoda mwoyo wako uye zvaunofunga asi ziva kuti pana izvozvi zvose Mwari achakutonga. Rega kuzvidya mwoyo bvisa zvose zvinokurwadza muviri nokuti uduku noujaya hazvinzwisisiki. Yeuka musiki wako uchiri muduku, mazuva akaipa asati asvika, mazuva auchazoti, “Handiafariri asati asvika;” zuva nechiedza nomwedzi nenyenyedzi zvisati zvasviba makore asati adzoka mushure mokunaya kwomvura; pazuva rinenge vachengeti vepamba vongweda kutya majaya akasimba okombama, vokukuya vorega nokuti vanenge vava vashoma vachiti kana vatarisa napahwindo maziso anoona rima; makonhi ari munzira izvozvo ogara akazarirwa ruzha rwezvigayo rwavakuderera, munhu ava kumutswa nokuchema kweshiri dzokutanga panguva yakunenge kuimba kwaderera, kukwira mukwidza kwavakutyisa kufamba chaiko kwavakutyisawo iwo musoro, muarimondi zvawo kuchena maruva zvino wava mhashu zvayo kuzvova napasi, havi dzose dzapera iwe wavakuenda kumusha wako wokusingaperi vokuchema vakafa vavakuunganidzana mumigwagwa. Tambo yesirivha isati yadambuka ndiro yendarama isati yapwanyika chirongo chisati chaputsika patsime. Ivhu rodzokera kunyika sezvarakanga riri mweya wodzokera kuna Mwari akamboupa. Kusanzwisisika kwezvisinganzwisisiki ndozviri kutaura muparidzi zvose hazvinzwisisiki. Pamusoro pokuva mungwaru muparidzi akadzidzisa vanhu ruzivo iye achiera nokudzidza achigadziridza zvakanakisa zvirevo. Muparidzi akatsvaka nzira yokutaura nayo zvakanakisa uye kuti anyorere vanhu zvazviri mazwi echokwadi. Mashoko avangwaru akaita sechokubaisa uye sehoko dzanyatsorovererwa nomufudzi zvichiitwa nomufudzi mumwechete. Chimwezve mwanangu, chenjerera izvi zvokuti kunyora mabhuku hakuperi uye kudzidza kunonetsa muviri. Kuchipedzisa muchidimbu, zvose zvanzwika. Itya Mwari uchengete mitemo yake ndiro basa romunhu rose. Nokuti Mwari achatonga zviito zvose, zvose, zvakavandika zvingave zvakanaka kana zvakaipa. Rwiyo rwakanakisisa rwaSoromoni. Dai wangonditsvodawo zvako unditsvode-tsvode nomuromo wako nokuti kuita zvorudo kwako kunokunda waini. Mafuta ako okuzora anonhuwirira; zita rako rakaita samafuta adururwa ndosaka vasikana vachikuda. Ndikweve kwauri timhanye muende neni mumba menyu, mambo. Ngatifarei tichikupemberera tichirumbidza rudo rwako kupfuura waini. Ndosaka wani uchidiwa. Vakunda veJerusaremu wee! Kusviba ndakasviba zvangu asi ndakanaka ndakasviba zvangu samatendhe eKedhari asi kunaka kwangu samachira chaiwo okudzikatirisa okwaSoromoni. Musatarise zvenyu kusviba kwandakaita izuva iri rakanditsvukurutsa kudai. Hanzvadzi dzangu dzomumba dzakandiitira zvehasha; dzakandiita muchengeti weminda yamagirepisi. Asi munda wangu wamagirepisi handina kuuchengeta. Ndiudzewo mudiwa wangu wapamwoyo, unofudzirepiko zvipfuwo zvako? Unozvizorodza kupi pamasikati makuru? Usandirege ndichingodzungaira, ndichitevedza namatanga avamwe vako. Iwe nyakunakisisa panavakadzi vose kana usingazivi, tevera matsimba ehwai ufudzire mbudzana dzako pedyo namatendhe avafudzi. Iwe chido chemwoyo wangu ndinokuenzanisa nomukono webhiza riri pangoro dzaFarao dzehondo. Hakusi kunaka ikoko kwakaita matama ako nemhete idzi! Naiwo mutsipa wako uyu, nezvishongo zvawo izvi, aiwaiwa! Tichakuitira mhete dzendarama nezvuma zvesirivha. Mambo paainge akazendama zvake pasofa, mafuta angu enadhi akati pfuu kunhuwirira. Kwandiri mudiwa wangu wakaita sakahomwe kemura kakarara pakati pamazamu angu. Kwandiri ini mudiwa wangu akaita sechitsumbu chamaruva ehena muminda yeEnigedhi yamagirepisi. Hakusi kunaka ikoko kwawakaita, iwe chido chemwoyo wangu! Kunaka here ikoko! Iwo maziso aya, aiwaka njiva inosara pasi! Kunaka here ikoko kwakaitawo iwe mudiwa wangu! Hakusi kunaka kani ikoko! Patinovata pakati gude gude kusvibira. Mapango emba yedu okutandarika achava omusidhari, nhungo dzawo dziri dzomupaini. Ini ndiri ruva romurosi wekuSharoni ruva reriri zvaro romumapani. Seruva reriri mukati merukato ndizvo zvakaita chido chemwoyo wangu pakati pevasikana. Somuti wemuapuru mukati mesango, ndozvakaita mudiwa wangu mukati memajaya. Muti wandakagara mumumvuri wawo norufaro une michero yawo inondinakira. Akaenda neni kumabiko ewaini. Rudo ndorwaiva pamusoro, somureza. Dai ukangondidzorawo mwoyo nemichero yemagirepisi akaomeswa undimutse mwoyo nemaapuru nokuti ini ndashaya pokuisa mwoyo ini norudo! Dai ruoko rwake rweruboshe ruri pasi pemusoro wangu rudyi rwake rwakandigumbatira. Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu mupike nemhara nemhene dzesango kuti hamutirimutsi kana kumutsa havi dzorudo nguva yacho isati yasvika. Ndiri kunzwa mutsindo womudiwa wangu, hoyo wouya, achiuruka mumakomo. Achisvetuka zvikomo mudiwa wangu akaita semhara kana kuti setsvana yemhene. Hoyo wamira zvino seri kwemadziro edu achidongorera napawindo achitarisa nepawaya yesefa. Mudiwa wangu hoyo wotaura achinditi: “Simuka chido chemwoyo wangu iwe tsvarakadenga yangu uuye.” Nguva yechando yapfuura mvura yokunaya yapera, uye yaenda. Maruva abuda panyika nguva yokuimba yasvika kurira kwenjiva kwava kunzwika munyika medu. Muonde wavakubereka maonde, migirepisi yava namaruva ari kunhuwirira. Simuka chido chemwoyo wangu uya zvako tsvarakadenga yangu. Iwe njiva yangu iri mumikaha yamabwe nemakavandika muzvikomo. Rega ndione zvangu uso hwako, ndinzwe hangu izwi rako nokuti izwi rako rakanakisa uye uso hwako hunoyevedza. Tibatirei makava, tukava tudiki turi kukanganisa minda yedu yamagirepisi, nokuti minda yedu yamagirepisi yava namaruva. Mudiwa wangu ndewangu, ini ndiri wake, anofudzira zvipfuwo zvake mukati memaruva amariri. Kusvikira rungwanani kwofefetera; rima roenda udzoke mudiwa wangu, uite semhara pamakomo eBheta. Usiku ndiri pauriri hwangu pfungwa dzangu dzaiva kumudiwa wangu ndaingomutsvaka asi handina kumuona, ndakamudaidza asi haana kudavira. Ndakati regai ndisimuke ndimutsvake muguta iye wangu wapamwoyo mumigwagwa nemumisika ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Vachengetedzi veguta vakandiona pavaingunofamba neguta ndakavati, “Mamboonawo here mudiwa wangu?” Ndakangovati pfuurei ndokubva ndamuwana wandinoda. Ndakabva ndamuti mbunde ndisingade kuti aende kusvikira ndaenda naye kumba kwaamai vangu, mumba mewakandibereka wacho. Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu mupike nemhara nemhene dzesango kuti hamutirimutsi kana kumutsa havi dzorudo nguva yacho isati yasvika. Ko chiiko icho chiri kubva nokurenje chakaita seshongwe youtsi chinonhuwirira serusenzi nemura netunonhuwira twose twavashambadzi? Inga chigaro chaSoromoni wani akakombwa namakumi matanhatu emagamba pamagamba okwaIsiraeri. Vose vakapakata mapakatwa avo dziri nyanzvi dzokurwa hondo. Vose vakanga vakagadzirira kwazvo, munhu nebakatwa rake parutivi kuti chauya chauya usiku. Mambo Soromoni akazvigadzirira chigaro nemiti yokuRebhanoni. Mapango acho okumisa aiva esirivha, katenga kacho kari kendarama, chigaro chacho chiri cheruvara rwehute mukati macho makanga makanyatsogadzirwa kwazvo navakadzi veJerusaremu. Budai vanasikana vemuZioni muone zvenyu Mambo Soromoni, mumusoro akaiti dzi ngundu youshe, ndaza yaakagadzwa nayo naamai vake pazuva romuchato wake, pazuva romwoyo wake, zuva rerufaro. Hakusi kunaka ikoko, chido chemwoyo wangu, hakusi kunaka kwawakaita! Iwo maziso ako aya, ungati injiva chokwadi muvhoiri mako imomo. Iro vhudzi rako ungati idanga rembudzi dziri kuita murikitira pamateru eGireadhi. Iwo mazino acho, ungati idanga zvaro rehwai dzavakuda kuveurwa padzinobuda madzinoshambidzwa. Dzose dziina mapatya pasina kana yakasvodza. Iyo miromo yako iyi, kuita setambo tsvuku chaiyo. Muromo wako wakazonaka! Ndoda katauriro kako! Hakusi kutapira mhani ikoko. Matama ako ungati muchero wamapomegiraniti wakachekwa nepakati muvhoiri mako imomo. Mutsipa wako heyo shongwe zvayo yaDhavhidhi yakavakwa senhurikidzwa pakarembera churu chenhoo. Dzose dziri nhoo dzamagamba ehondo. Iwo mazamu ako ari maviri, ungati zvimhuru zviviri zvemhara, mapatya chaiwo emhara dziri kufura zvadzo mukati mamaruva amariri. Kwofefetera kusvikira rungwanani rima raenda, ndichazvitututsa kumakomo emura uye kugomo rorusenzi. Wakazonaka ufunge, chido chemwoyo wangu, hauna kana kan'an'a zvako. Ngatichibva kuno kuRebhanoni, mwenga wangu ngatichibvai kuno kuRebhanoni, Tiza panhongonya yegomo reAmana ubve pamusoro pemakomo eSeniri neHerimoni ubve mumapako eshumba nomumakomo embada. Wanditora mwoyo mwana wamai, mwenga wangu. Wanditora mwoyo nokungonditi tarise kwawaita uye nechishongo chako chimwechete chomuhuro. Hakusi kunaka kwakaita rudo rwako, mwana wamai, iwe mwenga wangu. Rudo rwako kana waini inosara pasi. Twokubikisa tunonhuwirira twuya pamafuta ako anonhuwirira hatupasviki. Mumiromo mako munobuda usvisvi hunotapira, mwana wamai pasi porurimi rwako mukaka oga nouchi. Kunhuwirira kwehembe dzako ungati kunhuhwirira kweRebhanoni. Hanzvadzi yangu, iye mwenga wangu uyu ibindu rakakiiwa, kasipiti zvako kakanamirwa mabukira ako munda chaiwo wamapomegiraniti une michero yakanakisisa yeHena ine Nadhi. Ine Nadhi neSafuroni neKaramusi nechinamoni nemiti yose yorusenzi nemura negavakava uyewo tunonhuwirira twukuru-twukuru. Mune Kasipiti kebindu, tsime remvura mhenyu netukova tunoyerera tuchibva kuRebhanoni. Iwe mhepo yokuchamhembe muka, uya iwe mhepo yokuMaodzanyemba; vhuvhuta pabindu rangu. Kunhuwira kwaro kupeperetsere kose kose. Mudiwa wangu ngaauye kubindu rake adye michero yaro yakanakisisa. Ndauya ini kubindu rangu iwe mwana wamai, mwenga wangu. Ndavakunongerera mura yangu uye tunonhuwirira twangu. Ndavakutodya zinga rouchi uyewo uchi hwangu ndava kutonwa ini waini nemukaka wangu. Idyai shamwari munwe; nwiririrai, imi vadiwa. Ndakavata zvangu asi kukotsira mukati umu handina. Ndiye inzwei mudiwa achigogodza, achiti, “Ndizarurire mwana wamai, iwe chido chemwoyo wangu, njiva yangu iwe wakaperera nokunaka. Nokuti musoro wangu munyoro nedova, vhudzi rangu ratota namadonhwe ousiku.” Ndanga ndatopfekenura hanzu. Ndidzipfeke zvakare here? Ndanga ndashamba tsoka dzangu ndodzisvibisazve nevhu here? Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake ndokubata chihuri mwoyo wangu wakanzwa manyawi. Ndakanzwa manyawi mumwoyo mangu. Pandakazoti regai ndimuke ndizarurire mudiwa wangu, maoko angu achidonha mura minwe ichiyerera mura ichitoyerera pane chokuzarurisa gonhi. Ndakazarurira mudiwa wangu asi mudiwa wangu akanga atendeuka aenda, zvakandipedza simba paakadzokera. Ndakamutsvaka ndikamushaya ndakamudaidza asi haana kupindura. Vachengetedzi veguta vakandiona pavaingunofamba-famba neguta, vakandirova vakandikuvadza vakanditorera gemenzi rangu ivo vachengetedzi vaparusvingo. Ndinokukumbirisai chaizvo vanasikana veJerusaremu kuti kana mawana mudiwa wangu mumutaurire kuti ndapera ini norudo. Nhaiwe mukadzi akanakisisa kudai iye mudiwa wako chii chaizvo chaanopfuura vamwe nacho? Iye mudiwa wako chaanopfuura vamwe nacho chii chaizvo zvokutotikumbirisa ukadaro? Mudiwa wangu akapenyerera, akatsvukirira, anonyatsoonekwa mukati mezviuru gumi zvavanhu. Musoro wake indarama chaiyo yakanakisisa. Vhudzi rake, rinoyerera rakasviba kuti ndo-o segunguwo. Maziso ake anenge njiva dziri pedyo namadziva emvura, akanyikwa mumukaka, akanyatsoiswa panzvimbo pawo zvakanaka. Matamawo ake akaita semihomba yetwokubikisa tunonhuwirira tunoburitsa kunhuwirira; iyo miromo yake iyi, maruva zvawo amariri, inodonha mura inoyerera. Maoko ake, heyo mibhadha zvayo yendarama yakashongedzwa zvishongo muviri wake ndiro zvayo yemunyanga wenzou yakaiswa tutombo twesafaya. Iwo makumbo ake aya, hedzo mbiru zvadzo dzakamiswa muzvigadzikiro zvendarama uyewo chimiro chake ungati iRebhanoni kunaka kwazvo semiti yemisidhari. Zvaanotaura izvi zvinotapira samare, iye wose, sezvaari anodiwa. Ndiye mudiwa wangu iyeyo ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusaremu. Ko mudiwa wako aendepi, nhai iwe nyakururamisisa pavakadzi vose, mudiwa wako atsaukira kupi? Kuti timutsvake pamwechete newe. Mudiwa wangu aenda kubindu rake kumihomba yetwokubikisa tunonhuwirira. Kundofudzira hwai dzake mumapindu uye kundotanha maruva amariri. Mudiwa wangu ndewangu ini ndiri wake anofudzira zvipfuwo zvake mumaruva amariri. Mudiwa wangu wakarurama seguta reTiriza uye unoyevedza seJerusaremu, achityisawo sehondo ine mireza. Bvisa maziso ako kwandiri, anondidzimaidza kuona, iro vhudzi rako, ungati idanga rembudzi dziri kuita murikitira pamateru eGireadhi. Iwo mazino ako ungati idanga zvaro rehwai hadzi rabuda madzinoshambidzwa dzose dzine mapatya pasina kana yakasvodza. Matama ako, ungati muchero wamapomegiraniti akachekwa napakati muvhoiri mako imomo. Kungave zvako namakumi matanhatu emadzimambokadzi kana makumi masere avarongo uye vashandikadzi vasingaverengeki. Asi njiva yangu, nyakururamisisa mumwechete mwana wapamwoyo waamai vake anodiwa zvikuru nomubereki wake. Vashandikadzi vakamuona vakamuti, “Zvako wakakomborerwa,” kunyange madzimambokadzi navarongo vakamuona vakamurumbidza. Vakati, “Ndiani uyu akaita samambakwedza akarurama somwedzi, anopenya kunge zuva, anotyisa sehondo ine mireza.” Ndaenda kumunda wenzungu kundoona maruva omubani, kundoona kuti migirepisi yatunga here uye kuti mipomegiraniti yava namaruva here. Handina kutomboziva kuti musikana wangu akanga atondiita jinda pakati pavanhu. Dzoka, dzoka iwe muShurami, dzoka dzoka tikuyeve. Munodirei kuyeva musikana wokuShurami achitamba pakati pomutsetse wavanotamba. Kunaka here ikoko kwakaita tsoka dzako dziri mushangu; mwanasikana wejinda chaiye, izvo zvidya zvako kuurungana kwazvo, ungati zvishongo zvebasa remhizha. Guvhu rako, mukombe wakafuturwa, waini haishaikwi mariri. Iro dumbu rako hausi murwi zvawo here wekoroni, wakatenderedzwa namaruva amariri! Iwo mazamu ako ari maviri, ungati zvimhuru zviviri zvemhara, mapatya chaiwo emhara. Mutsipawo uyu unenge shongwe zvayo yenyanga dzenzou, maziso acho ungati madziva emvura okuHeshobhoni ari pedyo nesuo guru reBhatirabhimu. Mhuno yako ungati ishongwe yokuRebhanoni yakatarisana neDhamasikusi. Musoro wako unouti twi segomo reKameri. Bvudzi racho kusvibira kwazvo sohute; mambo chaiye anoti tarazaza kukanhamiswa netsama dzevhudzi rako. Hakusi kunaka ikoko kwawakaita chido chemwoyo wangu, iwe unofadza. Iwe wakanyatsoti twi somuti womurara mazamu ako ari iwo zvisumbu zvawo. Ndakati regai ndikwire muti womurara ndibatirire pamapazi awo. Dai mazamu ako aya, kwandiri aita sezvisumbu zvamagirepisi; kunhuwirira kwefemo rako, kuite samaapuru. Uye kutsvoda kwako kuite sewaini yakanakisisa inonyatsodzika iwe, ichiyerera zvayo pamusoro pemiromo namazino. Ini ndiri womudiwa wangu chaanoda chaicho ndini. Uya hako mudiwa wangu, handei kuminda tindogara hedu kumamisha. Ngatifumirei kumunda wamagirepisi tindoona kuti migirepisi yakatungira here uye kuti maruva emugirepisi azaruka here uyezve kuti mipomegiraniti yava namaruva here. Ikoko ndichakuitira zvorudo. Mamandirekisi ava kuburitsa kunhuwirira kwawo, pamisuo yedu inongova michero yoga, yakanakisisa yorudzi norudzi mitsva nemitsaru yandakuwarikira zvako, iwe wangu wapamwoyo. Dai iwe kwandiri uri sehanzvadzi uri wakayamwa pazamu ramai vangu. Dai kuri kuti ndinokuona kunze ndaikutsvoda. Uye hapana aimbondishora. Ndaienda newe kumba kwaamai vangu, mumba maiye akandibereka. Ndaikupa waini ino tunonhuwirira kuti umwe, muto wamapomegiraniti angu. Dai ruoko rwake rweruboshwe ruri pasi pamusoro wangu rudyi rwake rwakandigumbatira zvarwo. Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu kuti musatirimutse kana kumutsa havi dzorudo nguva yacho isati yasvika. Ndiani uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pana chido chemwoyo wake. Pasi pomuti wemuapuru ndakakumutsa, ipapo amai vako vaiva panguva yokusununguka ivo vakakubereka vaiva pahata. Ndiite sechidhindo pamwoyo wako sechidhindo paruoko rwako nokuti rudo rwakasimba sorufu, shanje ino utsiye seguva kuvaima kwayo kuvaima kwemoto, moto chaiwo unoririma. Mvura zhinji zvayo haikwanisi kudzimura rudo. Kunyange mapopopo emvura haagoni kunyudza rudo. Kunyange munhu akati regai nditsinhanise rudo nokupa upfumi hwose hwomusha wake zvinonyatsoshorwa. Tine kahanzvadzi kedu kaduku asi hakana mazamu. Tichaitei nehanzvadzi yakadai pazuva raanopfimbwa. Dai kuri kuti madziro, taivaka chokuzvidzivira nacho muhondo chesirivha kana dai kuri kuti igonhi, taimuvakirira namapuranga esidha. Ini ndiri chidziro, mazamu angu akaita seshongwe kwaari, ndiri chigadzanisa mwoyo. Soromoni aiva nomunda wamagirepisi kuBharihamoni. Akaisako vanhu vokuuchengeta, mumwe nomumwe aifanira kuunza muchero unoita churu chemari yesirivha. Asi munda wangu wemagirepisi ndowangu ini pachangu. Iwe Soromoni ungava zvako nechuru chemari yesirivha iyoyo vachengeti vayo vachiwana zvavo mazana maviri. Iwe unogara mumapindu, shamwari dzangu dziri kuteerera izwi rako. Rega ndirinzwewo zvangu. Mhanya mudiwa wangu uite semhara kana setsvana yemhene pamakomo etwokubikisa tunonhuwirira. Zvinhu zvakaoneswa Isaya mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusaremu panguva yokutonga kwamadzimambo aya okwaJudha anoti Uziya naJotamu naAhazi naHezekia. “Teerera iwe denga, unzwewo iwe nyika nokuti ini Tenzi ndava kutaura, ‘Ndakarera vana ini ndikavayarutsa asi ivo vakandipandukira. Mombe inoziva muridzi wayo kana dhongi rinozivawo parinopirwa zvokudya nomuridzi waro asi Isiraeri haimboziva zvayo, vanhu vangu havambonzwisisa.’ ” Zvichakuwanai zvenyu rudzi rwavanhu vezvitadzo! Iyemi vanhu vazere uipi, imi zvizukuru zvavaiti vezvakaipa, vana vane muitiro wakaora. Makandiramba imi, ini Tenzi, mukandishora ini Anoera weIsiraeri, mukanyatsondipa zvenyu gotsi. Munodirei kuti shamhu irambe iri pamusana wenyu, zvaunodai kuramba makapanduka? Musoro wase wanyeka namaronda, mwoyo wako wose wachiti rukutu. Kubvira pasi petsoka kusvikira pamusoro hapana papenyu, dzangova mbonje namavanga, angova maronda ari kubuda ropa asina kusvinwa kana kusungwa kana kupfaviswa zvako namafuta. Nyika yenyu yangova nyikawo zvayo maguta enyu aririmiswa nomoto nyika yenyu yarozvwa namabvakure, yangova nyika sokunge yakurirwa namabvakure imi makatarisa. Iwe mukunda weZioni Jerusaremu, wasara wangove sekatumba kemumunda wamagirepisi sakadushwa kari mumunda wamagaka seguta rakombwa. Dai Tenzi wehondo nehondo asina kutisiyira zvake chitsama chavakapunyuka, tingadai takaita hweSodhomu kana kuita hweGomora. Chiteererai munzwe shoko raTenzi, iyemizve vatongi veSodhomu! Teererai munzwe mutemo waMwari wedu iyemizve vanhu veGomora. Zvanzi naTenzi, “Ndinei ini nokuwanda kwezvibayiro zvenyu? Mipiro yokupisa yehondohwe neyemafuta emhuka dzakakodzwa zvandifinha ini; handisisiri kufadzwa neropa rehandira kana rehwayana kunyange rezvikotora. Ipo pamunouya kwandiri kuzonamata, ndiani chaizvo anenge achida kuti muzotsokodzere zvenyu nhandare dzangu? Chiregai kunge muchauya nemipiro isina maturo rusenzi runondisemesa. Mazuva enyu okugara kweMwedzi namaSabata nemisangano yamunokokerana kukanyanisa ikoku, nokuti musangano mukuru wezvokunamata pamwechete nouipi, zvandifinha. “Mazuva Makuru enyu oKugara kwoMwedzi namazuva makuru akatemwa, mwoyo wangu hauzvidi. Kwandiri yave nhamo chaiyo yokuzvitakura, ndaneta ini nokuzvitakura. Pamunosimudza maoko mudenga ini ndichatarisa rutivi, kunyange pamunogoorera kunamata handiteereri, maoko enyu azere ropa. Shambai muzvichenese, bvisai zviito zvenyu zvakaipa mumaziso mangu. Kandai pasi uipi. Dzidzai kuita zvakanaka, onai kuti kuri kutongwa zvino ruenzaniso vanodzvinyirira vanhu ngavagadziridzwe. Miririrai nherera muchireverera chirikadzi.” Zvanzi naTenzi, “Kana madaro mochiuya zvenyu titaurirane, kunyange zvazvo zvitadzo zvenyu zvakatsvuka seropa, zvichati mbu-u kuchena somukaka, kunyange zvakati piriviri kutsvuka zvichati mbu-u kuchena sedonje. Kana mukada zvokuteerera muchadya zvinhu zvakanaka zvenyika. Asi mukaramba muchipanduka, bakatwa richakutsakatisai nokuti ndini Tenzi ndazvireva nomuromo wangu.” Zvauya sei chokwadi kuti guta rakanga rakatendeka riite senzenza kudai guta rakanga rizere noruenzaniso. Ururami ndomaiva mumusha mahwo asi zvino mava memhondi. Sirivha yako haisisina maturo, waini yako yashapiswa nemvura. Machinda ako vapanduki neshamwari dzembavha Munhu wose ava kutarisira pfumbamuromo, ava kungomhanyira kupiwa zvipo, havamiririre nherera nhamo dzechirikadzi, mumusoro hadzivapindi. Naizvozvo Tenzi anotaura, iye Tenzi wehondo nehondo, iye Samasimbaose weIsiraeri achiti, “Chiregai zvenyu muchiona, ndochipedzera hasha dzangu pavanhu vanondivenga ndichitsividza mhandu dzangu. Nesimba roruoko rwangu ndava kukupindukirai! Zvose zvisina maturo mavari ndichanyatsozvinyungurutsa ndichibvisa zvose zvisina kunaka mauri. Ndichadzosera vatongi vako sapakutanga paye namakurukota ako sapamavambo paya. Mushure mezvo uchazonzi guta rakarurama guta rakatendeka.” Zioni richanunurwa noruenzaniso, vanopinduka vachiponeswa pamusana poururami. Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa pamwechete, vanofuratira Tenzi vachatsakatiswa. Ndinodaro nokuti zvokufarira mioku yokunamata zvichakunyadzisai; muchanyara namapindu enyu amakatsaura; nokuti muchaita somuti womuoku unowuna mashizha, sebindu risina mvura. Mikuru yacho ichaita setsotso, basa rake richiita sakamoto kubarika. Zvose zviri zviviri zvichatsva pamwechete, pagoshaya anogona kuzvidzimura. Zvinhu zvakaoneswa Isaya mwanakomana waAmozi zvakanangana nenyika yokwaJudha neguta reJerusaremu, Zvichazoitika pamazuva ari kuuya kuti gomo reTemberi yaTenzi richanyatsoti dzu-u pamusoro pemamwe makomo zvokupfuurira zvikomo kureba marudzi ose achakotonokera kwariri; ndudzi dzavanhu dzisingaverengeki dzichauyako dzichiti, “Uyai tikwire kugomo raTenzi, kuTemberi yaMwari waJakobho atidzidzise nzira dzake kuti tigofamba mumakwara ake.” Ndinodaro nokuti muGomo reZioni ndimo munobva mutemo uye shoko raTenzi rinobva muJerusaremu. Achatonga marudzi ose evanhu achienzanisa mhosva dzendudzi dzavanhu dzakawanda; vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yemagejo, mapfumo vachiaita majeko okupemhenesa. Hakuna rudzi ruchazosimudzira rumwe rudzi zvarwo bakatwa, zvokudzidzisana kurwa hondo pachange pasisina. Douyai nhaimi vemba yaJakobho tifambe muchiedza chaTenzi. Chiripo ndechokuti imi makaramba vanhu venyu, imba yaJakobho pamusana pokuti mavari muzere vashoperi vokumabvazuva nevanofembera namaminimini sevaFirisitia uye vanotorovana zvavo maoko nevechirudzi. Nyika yavo izere nesirivha nendarama, upfumi hwavo hauverengeki. Nyika yakazara namabhiza, ngoro dzavo dzehondo hadziverengeki. Nyika yavo izere zvifananidzo zvokunamata vanopfugamira basa ravakaita namaoko avo zvinhu zvavakaita ivo neminwe yavo. Ipapo munhu anoninipiswa, munhu anodukupiswa. Musavaregerere zvitadzo zvavo! Pindai mubako, hwandai muvhu, muhwande hasha dzaTenzi muhwande mbiri youkuru hwake. Kutarisa kwomunhu kune kuzvikudza mukati, kuchadukupiswa kuzvikudza kwomunhu kuchininipiswa. Tenzi ndiye chete acharumbidzwa musi iwoyo. Ndinodaro nokuti Tenzi wehondo nehondo, ane zuva rake, zuva raachaworora kudada kwose nokuzvikudza achiwororawo zvose, manyawi nokuzvitutumadza. Zuva raachaworora miti yose yemisidhari yokuRebhanoni ina manyawi, inozvitutumadza achiworora miti yose yemioku yokuBhashani achiwororawo makomo marefu ose nokuworora zvikomo zvose zvakati dzu-u kumira. Achaworora nharire ndefu yose yose nokuwororawo guta rose rakavakirwa netsvingo achiworora ngarava dzose dzokuTarishishi kuworora zvinhu zvose zvinoyevedza zvakaitwa noumhizha. Kuzvikudza kwomunhu kuchaninipiswa kuzvitutumadza kwomunhu kuchadukupiswa Tenzi ndiye chete acharumbidzwa musi iwoyo. Zvezvifananidzo zvokunamata izvi zvichanyatsopera. Vanhu vachapinda mumapako ematombo nomuninga dzepasi apa vachihwanda kutyisa kwaTenzi nokuhwanda mbiri youkuru hwake paachasumukira nyika kuzoidederesa. Musi iwoyo vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvokunamata zvesirivha nezvifananidzo zvavo zvokunamata zvendarama zvavakanga vazvigadzirira kuti vapfugamire vachizvirasira kunhuta nokuturemwaremwa kuti vapinde mumapako amatombo nomumitswe yamazitombo vohwanda kutyisa kwaTenzi vachihwanda mbiri youkuru hwake paachasumukira nyika kuzoidederesa. Siyanai nomunhu anongovawo zvake nemweya wokufema mumhuno nokuti chii chaari chaicho? Ndinodaro nokuti Tenzi Tenzi wehondo nehondo ava kubvisa muJerusaremu nemaJudha zvose zvinovararamisa nezvinovatsigira zvinoti: chokudya chose chinovararamisa, nechokunwa chose chinovararamisa, negamba rose zvaro nomurwi wehondo wose nomutongi wose nomuporofita wose zvake nomushoperi wose zvake nomunhu wose wechikuru uye nomutungamiriri wose wechikwata chamakumi mashanu avarwi nomubati wose wechigaro uyewo gurukota rose zvaro negodobori rose roun'anga nenyanzvi yose yezvamazango. Ndichaita kuti vakomana zvavo vave ndiwo madzishe avo vatongwe nepwere. Vanhu vachabatisana pfumvu chaiyo, munhu woga woga achidaro kuna mumwe wake munhu wose achidaro kune waakagarisana naye wechidiki oitira vakuru misikanzwa, dzenga romunhu richidaro kune anoremekedzwa. Kana munhu akatora mukoma kana munun'una womumba achiti, “Iwe unotova nechokupfeka zvako ndiwe ungatova mutungamiriri wedu uye murwi wamatongo uyu utongwe newe zvako.” Pazuva iroro iye achadura pachena kuti, “Handingave ini wokukuponesai, mumba mangu hamuna chokudya kana nechokufuka Hamungandiite mutungamiriri wavanhu,” nokuti Jerusaremu yawondomoka, Judha yakoromoka nokuti zvavanotaura nezvavanoita zvinopesana naTenzi, zvinozvidza kuvapo kwake kuno mukurumbira. Iho uso hwavo hunopupurira kuita kwavo kwakaipa. Vanoparidzira chitadzo chavo savanhu veSodhomu, havachivanziridze. Zvichavawana zvavo nokuti nhamo yavo ndeyokuzviparira. Taurirai vakarurama kuti zvichavanakira, nokuti vachadya mubayiro wezvavakaita. Zvichamuwana wakaipa, zvichamuipira, nokuti zvaakabata namaoko ake ndozvaachaitirwawo. Vanhu vangu, vari kuoneswa ndondo nepwere vachitongwa navakadzi vanhu vangu, vatungamiriri venyu vari kukuendesai mutome vachivhiringidza makwara enyu amunofanira kutevera. Tenzi ava panzvimbo yake yapadare anosimuka kuti achitonga marudzi. Tenzi ava kupinza dare vakuru vakuru pamwechete namakurukota avanhu vake, achivapa mhosva yokuti, “Ndimi makarozva munda wamagirepisi, mudzimba dzenyu mune zvinhu zvamakapamba imi kuvarombo. Simba rokutsika-tsika vanhu vangu kudai munoriwana kupi, muchidzungaidza nokupazamisa varombo?” Ndizvo zviri kurehwa naTenzi, Tenzi wehondo nehondo. Tenzi ari kuti, “Pamusana pokuti vanasikana veZioni vanozvikudza vachifamba vakarebesa kwazvo mutsipa vachidingaringa kwazvo nemesomeso vachifamba vachigogodeka, mumakumbo umu, ndarira dzichingwengwereka. Tenzi acharova neshamhu yezvisasa musoro wavanasikana veguta reZioni, Tenzi achavaita baravara mumusoro.” Musi iwoyo Tenzi achavabvutira ndarira dzakanaka mumakumbo netsungare mumusoro nenyembe dzinenge mwedzi nemhete munzeve namakoza omumaoko namadhuku nenguwani namakoza namabhandhi nezvinu zvamafuta okuzora anonhuwirira namazango neringi dzomumaoko dzokudhindisa nadzo nemhete dzapamhuno nehanzu dzomutambo namajasi namachari namabhegi okubatira mumaoko namachira akangwerevera nembatya dzerineni nenguwani nemimbure yokufukidza uso. Panze pokuva namafuta okuzora anonhuwirira, pachave nezvinoita gutukutu rokunhuwa; panze pokuva nebhandhi pachave netambo zvayo; panzvimbo pokuva nevhudzi rakanyatsorukwa, pachava nemhanza; panzvimbo pokupfeka gemenzi rinokosha pachapfekwa mbikiza dzamasaga; panzvimbo penyora dzorunako pachava nenyora dzakanyeka. Varume venyu vachaurayiwa nebakatwa, magamba enyu achifira kuhondo. Dare rokumisuo mikuru kweZioni richahwihwidza kuchema rachiti pasi pwashasha kugara somukadzi asiyiwa achiti dano asina chaakapfeka. Zuva iroro kana rasvika, vakadzi vanomwe vacharwidzana pamurume mumwechete vachiti, “Chokudya ndechedu, mbatya tichazvitsvakira, chatinongoda isu ndechekunzi tiri vakadzi vako chete, utinyadzurudzewo.” Musi iwoyo bukira raTenzi richayevedza zvine mukurumbira uye muchero wenyika iyoyi uchava chinhu chokuti vanhu veIsiraeri vanopunyuka utapwa vadade nacho chichivapa mbiri. Munhu anenge azosara muZioni achiramba ari muJerusaremu achanzi anoera, wose zvake anenge akanyorwa zita kunzi mugari weJerusaremu. Ipapo Tenzi anenge achenura kun'ora kwevanasikana veZioni asuka mhosva yeropa iri mukati meguta reJerusaremu inobviswa nomweya wake wokutonga, nemweya wake wokuroromesa Tenzi achazviratidza pamusoro peGomo rose reZioni napamusoro pemagungano aro, ari mugore, masikati, usiku, ari muutsi nomurimi romoto rinon'aima kupenya kwokuvapo kwaMwari kugoti gude gude pose ipapo sekatenga uye sedumba. Uchange uri mumvuri masikati wokudzivirira kupisa nediziro nepokuhwanda mvura yokunaya ine dutu remhepo nemheni. Regai ndimboimbira zvangu shamwari yangu rwiyo rwokuda kwaaiita munda wake wamagirepisi Shamwari yangu iyi yakanga iino munda wemagirepisi pachikomo chakanyatsoorera kwazvo. Akauwunda akaubvisa mabwe ose akasimamo miti yomugirepisi yakanakisisa kwazvo. Akavaka dara renharirire mukati mawo uye akachera garingiro rokusvinira magirepisi mariri achiutarisira kuti uchabereka magirepisi, asi wakamuberekera indye dzamagirepisi kuvava. “Zvino imi vagari veJerusaremu, imi vanhu vokwaJudha ndienzanisireiwo nyaya iri pakati pangu ini Mwari nomunda wangu wamagirepisi. “Pane chimwe here chandaifanira kuitira munda wangu wemagirepisi chandisina kuuitira? Pandaiutarisira kuti ubereke magirepisi kwawo wakazoberekerei indye dzamagirepisi kuvava? “Zvino chiregai ndikuudzei zvandichaita kumunda wangu wamagirepisi. Ndichapaza ruzhowa rwawo, ugorozvwa. Ndichaputsa rusvingo rwawo utsokodzerwe pasi. Ndichauita kuti usare rangova zita chete kuti munda. Handichaupemhena kana kuutimbira Minzwa norukato ndozvichakura zvazvo imomo Ndichaudzawo makore kuti arege kunayisa mvura pauri.” Zvino ipapa apa munda wacho wamagirepisi waTenzi wehondo nehondo, ndiyo imba yaIsiraeri. Vanhu ivava vomunyika maJudha, ndivo vacho vaakanyatsosima akatarisira ruenzaniso asi wanei potodeurwa ropa zvapo achitarisirawo kururama asi inzwei mhere! Zvichakuwanai imi, munokumba dzimba nedzimba nokuzviwanira munda nomunda kudzamara pasisina kana nzvimbo muchiita kuti mugare mangova zindoga pakati penyika. Tenzi wehondo nehondo akapika ini ndichinzwa nenzeve dzangu kuti, “Dzimba huru dzakanaka idzi dzichasara dzangova matongo asina munhu. Munda wamagirepisi unoita gumi remahekita kukura uchange woita marita masere ewaini. Pamabhagidhi mapfumbamwe embeu dzekoroni pachakohwewa koroni inenge yoda kuzara bhagidhi.” Vane nhamo vanomukirira rungwanangwana vachiteveredzana nedoro, vachiti tatata naro kusvikira pakati pousiku kusvikira vapengeswa naro! Pamitambo yavo vanenge vaine zvipendani nemadimbwa netambureni nenyere newaini; asi mabasa aTenzi havana hanya nawo kana kumbotarisawo zvavo zvaakaita namaoko ake. Saka vanhu vangu vachatapwa pamusana pokushaya kunzwisisa ikoko, vanhu vavo vanoremekedzwa vacho vachifa nenzara, voruzhinji vachinzwiswa nenyota. Naizvozvo nzvimbo yavachakabvu yava kumedzera mate ichishama muromo wayo zvakanyanyisa kwazvo kuti imedze zvayo vokumba huru vomuJerusaremu pamwechete nevoruzhinji vacho vezhowezhowe remo rokusasana. Vanhu vachadukupiswa vanhu vachaninipiswa navanhuwo vane mutarisiro wokuzvidza, vachaderedzwa. Asi Tenzi wehondo nehondo acharumbidzwa nokutonga kwaanoita iye Mwari Anoera acharatidza kuera kwake nokuda kwoururami. Hwayana ndopadzichafura zvadzo sokunge dziri kumafuro zvipfuwo zvakakora nembudzana zvichifura zvazvo mumatongo. Zvichakuwanai imi munotokweva zvenyu uipi netambo dzounyengedzi munokwekweretsana nechitadzo netambo dzakaita sedzengoro muchiti, “Ngaakurumidzeka, ngaachimbidzike kuita zvaanoitazvo tione. Zvaanoda kuti zvacho iye Anoera wacho weIsiraeri ngazviuyeka tizvizivewoka!” Zvichakuwanai imi munoti zvakaipa zvakanaka, zvakanaka muchizviti zvakaipa munosandura rima muchiriita chiedza chiedza muchiita rima muchiisawo zvinovava panzvimbo pezvinotapira zvinotapira muchiisa panzvimbo pezvinovava. Vane nhamo vanozviona sevakangwara vanhu vanozviona savakachenjera. Zvichakuwanai imi shasha dzokunwa waini imi zviradza zvokudiranisa mhando nemhando dzehwahwa. Munopembedza ane mhosva pamusana pepfumbamuromo, munotadzisa munhu asina mhosva kuwana zvaanofanira kuti ave nazvo. Naizvozvo sezvinongoita rimi romoto rinopisa zvidzitsi, uye sokumbombomera kunoita uswa murimi romoto, sokudaro midzi yahwo ichaora maruva ahwo agondimuka seguruva nokuti vakaramba mutemo waTenzi wehondo nehondo vakashora shoko reAnoera weIsiraeri. Ndokusaka Tenzi akavirukira vanhu vake nehasha, akavasimudzira ruoko rwake rune simba akavarova, makomo akandengendeka zvitunha zvavo zvikaita semarara pakati pemigwagwa. Kunyange zvakadaro zvazvo hasha dzake hadzina kupora, muruoko rwake shamhu ichiri mudenga. Achaninira kurudzi rwevanhu ruri kure kure chaiko, achivaridzira mheterwa vari uko pasi kwenyika chaiko, rudzi rwavanhu irworwo runobva rwakasika kuuya. Pakati pavo hapana akaneta-neta hapana anogamhina, hapana anotsimwaira kana anokotsira kunyange mundya wakaregedzera kana ane tambo dzeshangu dzakadambuka. Miseve yavo yakarodzwa, uta hwavo hwakakungwa, matsiko emabhiza avo akaoma sedombo romusarasara, mavhiri acho chamupupuri chaicho. Kudzvova kwavo, shumba chaidzo vanodzvova sevana veshumba dzinohon'a dzigobata nyama yadzo dzinoiti piku kutakura kuenda pasina anogona kununura. Dzinoihon'erana pazuva iroro sokutinhira kwegungwa. Uchiti ukatarisa kunyika uku unongoona rima chete nenhamo nechiedza chachinzi kwirindindi kudzikatidzwa nerima ravo. Mugore rakafa mambo Uziya, ndakaona Tenzi vakagara pachigaro choumambo, chiri pamusoro chakakwirira. Jira regemenzi rake raizvezvera pasi raizadza Temberi. Pamusoro pavo pakanga pakamira vatumwa vanonzi maserafimu, serafi roga roga raiva namapapiro matanhatu. Rakanga rakazvifukidza uso namapapiro maviri, namamwe maviri rakazvifukidza makumbo richibhururuka namamwe maviri. Aidaidzirana achiti: “Munoera, Munoera, Munoera! Imi Tenzi wehondo nehondo pasi pose pazere nembiri yenyu.” Ugaro hwemba iyi hwokumusuo hwakandengendeka pamusana pezwi rewainge adaidza. Imba iyoi yakazara noutsi. Ndakati, “Maiwe-e, maiwe-e zvangu inga ndaparara nokuti ndiri munhu ane miromo yakan'ora uye ndigere pakati pavanhu vane miromo yakan'ora nokuti ini nameso angu ndaona Mambo, Tenzi wehondo nehondo!” Rimwe serafi rakabhururukira kwandiri rakabata mumaoko nembato vhunze romoto rarakatora paatari. Rakasvikondigunzva muromo naro rikati, “Tarisa uone wagunzwa muromo nevhunze iri hauchisina mhosva, chitadzo chako charegererwa.” “Ndakanzwa izwi raTenzi richiti, ‘Ndiani wandingatume, ndiani angatiendere?’ Ini ndakati, ‘Ndiri pano. Nditumei ini.’ ” Ivo ndokuti, “Enda utaurire vanhu ava kuti, ‘Zvokuteereresa, regaika zvenyu kuteerera, handiti mungadaro mukazonzwisisa; kana zvokunyatsotarisisa, regaika zvenyu kutarisa handiti mungadaro mukazoona here.’ “Zvino iwe chitosindimadza zvako vanhu ivava mwoyo utyorere zvimiti munzeve dzavo uvapfige maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa. “Ini ndikati, ‘Kusvikira riniko nhai Tenzi?’ Ivo vakati, ‘Kusvikira maguta aparara musisina anogaramo, dzimba dzisisina vanhu, nyikawo yanyatsoparara, Tenzi abvisa vanhu avaendesa kurekure, munyika mave namatunhu mazhinji asina vanhu. Kunyange zvako kukasara gumi pazana naivo vacharoromeswa somuti womuterebhini kana kuti muoku une chigutsa chinosara chimire kana warigwa.’ ” Chigutsa ichocho ndiyo mbeu inoera. Mumazuva aAhazi mwanakomana waJotamu mwanakomana waUziya mambo wokwaJudha, Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria mambo wokwaIsiraeri vakauya kuzorwisa guta reJerusaremu asi havana kukwanisa kurikurira. Pazvakasvika munzeve dzevemba yaDhavhidhi kuti Siria neEfuremu dzaita rimwe rokuda kukutsirana, iye navanhu vose vakadedera mumwoyo sezvinongoita miti yomusango ichivhuvhutwa nemhepo. Tenzi akati kuna Isaya, “Iwe nemwanakomana wako Sheariyashuvhu endai mundosangana naAhazi, kunoperera mugero wokudziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokumunda womusuki wembatya usvikoti kwaari, “Chinyatsonzwisisa, nyarara, rega kutya. Usadedereswe mwoyo pamusana pezvigutsa izvi zviviri zviri kupfungaira pamusana pokutya kuviruka nehasha kwaRezini nekweSiria nekwemwanakomana waRemaria vadai kukufungira zano rakaipa vachiti, ‘Handei tindorwisa nyika yokwaJudha tiidederese nokutya. Ngatindoikurira tiite yedu tigadze mwanakomana waTabhieri umambo pakati payo. Izvi ndizvo zviri kurehwa naTenzi Mwari.’ Izvozvo hazvisi kuzombomira uye hazvizi kuzomboitika. Handiti guta guru reSiria iDhamasikusi, uye musoro weDhamasikusi ndiRezini handiti? (Kusati kwapera makore makumi matanhatu namashanu Efuremu iyi ichaparara kuita ubvurubvuru chaihwo zvokuti ichasara isisiri dzinza). “Uye vokwaEfuremu vanovimba neSamaria, handitiwo musoro weSamaria ndiye mwanakomana waRemaria. Kana iwe usina chokwadi nazvo pamusana paizvozvo haumbopamira.” Tenzi akataurazve kuna Ahazi achiti, “Kumbira Tenzi Mwari wako chiratidzo, chingave chakadzika pasi pasi senzvimbo yavachakabvu kana kuti chiri kudengadenga sedenga.” Asi Ahazi akati, “Handidi kukumbira! Handidi kuedza Tenzi.” Iye akati, “Chinzwai imi vemba yaDhavhidhi. Iko kunetsa vanhu kwamunoita hakukukwanirei here zvamunoda kutonetsawo kunyange naMwari wangu? Naizvozvo Tenzi pachavo ndivo vachakupai chiratidzo. Chiteererai munzwe, mhandara yava napamuviri ichabereka mwana mukomana waichatumidza zita rokuti Imanueri. Achatosvika pakudya mukaka wakakora nouchi nokuti anenge oziva kuramba chakaipa nokusarudza chakanaka. Ndinodaro nokuti mwana iyeyu paachange asati aziva kuramba chakaipa nokusarudza chakanaka, nyika yacho ine madzimambo maviri ari kukudederesai ichasara yangova nyikawo zvayo, isisina munhu. “Tenzi achakupinzai imi navanhu venyu nevemba yemadzibaba enyu mumazuva asati ambovapo kubvira nguva yakabva vokwaEfuremu kune wokwaJudha, wacho ari kurehwa apa ndimambo weAsiria. “Pazuva iroro Tenzi acharidzira mheterwa nhunzi dziri kunovambira hova dzokuIjipiti, nenyuchi dziri kunyika yeAsiria. Dzichauya dzichizomhara mumakoronga akanyura chaizvo emumakomo nomumitswe yakadzika yematombo nomuzvikwenzi zvose zveminzwa nomumafuro mose. “Musi iwoyo Tenzi achagusa nechisvo chaanenge akwereta kumhiri kwerwizi rwaYufuratesi chisvo chacho chiri chamambo weAsiria achigusa musoro nevhudzi rokumakumbo chichiwumbura nendebvu. Pazuva iroro munhu achange akapfuwa mhou ichiri duku nenhunzvi mbiri dzehwai pamusana pokuwanda kwomukaka wadzinenge dzichibudisa; iye achadya zvake mukaka wakakora nokuti munhu wose anenge asara ari munyika ino achadya mukaka wakakora nouchi. “Musi iwoyo munda wose wose waimbova nechiuru chimwechete chemiti yemigirepisi chinoita chiuru chimwechete chemari yesirivha yemashekeri, uchanyatsoti memete nemakwenzi eminzwa norukato. Vanhu vanenge vava kutoenda kundovhima vaine uta nemiseve nokuti nyika yose ichange yangova minzwa norukato chete. Kana zviri zvomuzvikomo maimborimwa nemapadza hamuzombokuenda asi nokutya minzwa norukato kuti kuchange kwava zvako kwokusaidzira mombe kwava kwokutotsokodzerwa zvako nehwai.” Tenzi akanditi, “Tora zifendefa guru unyore pariri namavara anogona kuverengwa nomunhu wose zvake kuti, ‘Nyachimbichimbikupambamandikurumidzekutapa.’ ” Ndakatora vanhu vakavimbika vokundipupurira vanoti: mupristi Uriya naZekariya mwanakomana waJebherekiya kuti vazondipupurira. Ini ndakazopinda mumba namai muporofita mudzimai wangu vakabva vava napamuviri ndokubereka mwana mukomana. Tenzi ndokuti, “Mutumidze zita rokuti, ‘Nyachimbichimbikupambamandikurumudzekutapa.’ Nokuti mwana iyeyo asati ava kugona kuti baba wangu kana kuti amai vangu, upfumi hweDhamasikusi nezvakapambwa neveSamaria zvichatorwa namambo weAsiria zvoendwa nazvo.” Tenzi akanditizve, “Pamusana pokuti vanhu ivava ava vakaramba mvura yomuShiroa inoerera zvinyoronyoro vakahuta kudedera Rezini nomwanakomana waRemaria; naizvozvo chinzwa, Tenzi ari kuzovaunzira Rwizi runa mafashamo emvura yakawanda ine simba. Rwizi rwacho ndimambo weAsiria nomukurumbira wake wose. Ruchazadza makoronga arwo ose rugofashukira kumahombekombe. Ruchatsvaira munaJudha ruchafashukira ruchienda rwakatutumuka zvokusvika mumutsipa. Mwari anesu achatambanudza mapapiro ake zvokutovhamira upamhi hwenyika yenyu iyoyo.” Chibatisisai izvi imi marudzi kuparadzwa ndokwenyu. Teererai imi nyika dziri kure gadzirirai hondo asi mukangaidzwe gadzirirai hondo asi mukangaidzwe. Ranganai zvamunoda kurangana asi hazvina chimuko temai zvamunoda kutema asi zvamunotema hazvimbomira nokuti Mwari anesu. Ndinodaro nokuti Tenzi akataura kwandiri, ruoko rwake rune simba ruri pandiri, akandiyambira kuti ndisafambe mugwara ravanhu ivava achiti, “Zvose zvinenge zvichinzi navanhu ivava ibangano, usazviti ibangano, zvavanotya, usazvitye kana kuva mbwende. Asi Tenzi wehondo nehondo, iyeyo ndiye waunofanira kueresa, ndiye waunofanira kutya, ndiye waunofanira kudedera. Iye achava nzvimbo inoera neibwe rinogumbura nedombo rinogumbura kudzimba dzose dzokwaIsiraeri dziri mbiri, uye riva nechokuteya nacho vagari vomuJerusaremu. Vazhinji vachagumburwa naro vachiwira pasi vachiputsika; vachateyiwa vachibatwa.” Ndinopfundira umboo uhwu ndigonamirira mutemo muvadzidzi vangu. Ini ndomirira zvangu Tenzi ari kuviga uso hwake kumba yaJakobho uye maari ndimo mune chitarisiro changu. Chionai kuti ini navana vandakapiwa naTenzi, tave zviratidzo nemanenji muIsiraeri zvinobva kuna Tenzi wehondo nehondo, anogara paGomo reZioni. Kana vachikutii, “Endai kundobvunzira kumidzimu nen'anga dzinoshwinya nokun'urun'uta, vanhu havafanire kundobvunza kuna Mwari wavo here? Vanofanira kundobvunzira kuvakafa here vachiitira vapenyu?” Izvozvi izvi zvinenge zvichinangana nomutemo noumboo hwacho. Kutaura vangataure zvavo saizvozvo asi hazvina chazvinobatsira. Ipapo vachatunhaira nenyika vachishungurudzwa kwazvo nenhamo vaine nzara. Vaine nzara kudaro, vachaviruka nehasha vakatuka mambo wavo naMwari wavo vakatarisa kudenga. Vachati tarisei pasi, onei matambudziko nerima nokusuruvadzwa nenhamo uye vachakandwa muzarima rakati kwirindindi. Asi hapachave nokusuruvara munyika iya yakanga ichitambura. Kare, Mwari akambopinza munhamo nyika yokwaZebhuruni nenyika yokwaNafutari asi munguva iri kuuya achaita kuti nzira yokugungwa inyatsopfumbira, nyika iri mhiri kwaJorodhani muGarirea kugere vechirudzi. Vanhu vaifamba murima vaona chiedza chikuru; vanhu vaigara munyika yezarima rorufu, chiedza chavavhenekera. Maita kuti rufaro rwavo ruwande mavapa rufaro rwakawanda vari kupembera kufara pamberi penyu sokufarwa kunoitwa pakukohwa sokufara kunoita vanhu pakugovana zvinenge zvapambwa. Pamusana pokuti matyora joko raimuremera netsvimbo yokumurova mapfudzi, neshamhu yaiye waimubata zvakaipa, sepazuva riya ramakakurira Midhiani nokuti shangu dzose dzomurwi wehondo dzavanogiga nadzo pasi muhondo nehanzu dzose dzakaumburudzwa muropa dzichapiswa sehuni dzomoto; nokuti tazvarirwa mwana, tapiwa mwana mukomana; umambo uchava mumaoko make uye zita rake richanzi, “Gurukotarinoshamisa,” “Mwarisamasimbaose,” “Babanyakugaranokugara,” “Jindarorugare.” Umambo hwake hucharamba huchingoenderera mberi huine rugare rusina mugumo ari pachigaro chaDhavhidhi paumambo hwake kuti hudzike midzi nokuhutsigisa noruenzaniso noururami kubvira zvino kusvikira narini wose. Tenzi wehondo nehondo neshungu dzake achatozviita izvozvo. Tenzi atumira vokwaJakobho shoko richasvika munzeve dzaivava vokwaIsiraeri vanhu vose vachariziva vokwaEfuremu vagari vokuSamaria vanotaura vachizvikudza vanozvitutumadza vachiti, “Zvidhina zvakakoromoka zvazvo, asi isu tichavaka namabwe akavezwa; mikuyu yakatemwa zvayo, asi tichaitsiva nemisidhari isu,” nezvo Tenzi achavamutsira mhandu agovanyandurira vavengi vavo zvichiti vaSiria kumabvazuva, vaFirisitia kumadokero miromo yakashama kuti vazhanye Isiraeri. Nokuda kwaizvozvi hasha dzake hadzina kupora uye muruoko rwake shamhu ichiri mudenga. Vanhu havana kupindukira kuna iye aivaranga kana kutsvaka Tenzi wehondo nehondo. Ipapo Tenzi achagwishura nhungamiri dzacho muIsiraeri nokuita nhimura vokumuswe ivavo, bazi romurara norutsanga zvarwo pazuva rimwechetero. Vakuru vakuru navanoremekedzwa ndidzo nhungamiri dzacho, vaporofita vanodzidzisa zvenhema, ndivo muswe ivavo; nokuti vanotungamirira vanhu ava vanovatungamirira kusiriiko navanotungamirirwa ivavo vanobva vadzungaira. Naizvozvo Tenzi haazi kumbozoregerera majaya avo achipunyuka, haasi kuzoitira tsiye nyoro nherera nechirikadzi dzavo nokuti munhu wose zvaMwari haachazvida uye vose vatova vaiti vezvakaipa zvose zvavanotaura nemiromo yavo ndezvoupenzi. Nokuda kwaizvozvi hasha dzake hadzina kupora muruoko rwake shamhu ichiri mudenga. Chinondidariso ndechokuti uipi hunopisa somoto hunoririmisa minzwa norukato unotungidza majokochwa esango zvigotogoka gore reutsi mudenga. Pamusana pehasha dzaTenzi wehondo nehondo, nyika inororoma kutsva vanhu vachiita sehuni dzomoto pasisina zvokunzwirana tsitsi. Vanoti uku norudyi tyorei vachingosara vanayo nzara, ukuwo noruboshwe vachimochira kudya asi havaguti, mumwe nomumwe achidya mumwe wake; vokwaManase vorwisana nevokwaEfuremu, vokwaEfuremu vachirwisana nevokwaManase vose pamwechete vachirwisa vokwaJudha. Nokuda kwaizvozvi hasha dzake hadzina kupora, muruoko rwake shamhu ichiri mudenga. Zvichavawana vanotema zvirevo zvisina kururama vanyori vanoramba vachinyora zvirevo zvebasa rechibharo kuti vatadzise vasina chavanacho kuwana ruenzaniso, vachipamba varombo muvanhu vangu zvinhu zvavanofanira kuti vawane uye kuti vapambe chirikadzi nokutorera nherera zvinhu zvadzo. Muchaita waani musi wokurangwa nedutu remhepo richauya richibva kure kure muchatizira kunaani kwamungawane rubatsiro, upfumi hwenyu muchahusiya kupi? Chenyu imi kunenge kwangova kuti undundu pakati pavasungwa kana kungoti rakata pakati pezvitunha. Nokuda kwaizvozvo hasha dzake hadzina kupora, muruoko rwake shamhu ichiri mudenga. Iwe Asiria, shamhu yangu yokunge ndatsamwa, tsvimbo yangu yokunge ndaviruka nehasha ndichakuti uvinge rudzi rwavanhu vasisadi zvaMwari ava, ndichakutuma kuvanhu vandinoda kuranga kuti undopamba nokuvatorera zvinhu nokuvatsokodzera pasi samavhu omumigwagwa. Asi izvozvi haasi kumbozvifunga, mumwoyo make izvozvi hazvimo. Chiri mupfungwa dzake kuparadza chete nokutsakatisa ndudzi dzavanhu dzakawanda nokuti anototi, “Inga vatungamiriri vangu vehondo vose madzimambo wani. Guta reKarino harina kuitwa zvakaitwa neKarishemeshi here? Ko Hamati harina kuitwa zvakaitwa neAripadhi here? Ko Samaria harina kuita zvakaitwa neDhamasikusi here? Sokutambanudzira ruoko rwangu ndichiranga nyika nenyika dzinonamata zvifananidzo, dzine zvifananidzo zvakakura kupinda zveJerusaremu neSamaria ndozvandichaita izvozvi kuJerusaremu nezvifananidzo zvayo sezvandakangoita kuSamaria nezvifananidzo zvaro!” Pachapedza Tenzi basa rake rose paGomo reZioni napaJerusaremu, ndicharangira mambo weAsiria kuzvitutumadza nokuzvikudza kwaanoita nokudada kwaanoita achidhadhaira achiti, “Ini noruoko rwangu ndini pano ndakazviita ini nesimba rangu, ndakazviita ini noungwaru hwangu nokuti ndinonzwisisa. Miganhu yedzindudzi dzavanhu ndakaibvisa ini, ndikapamba upfumi hwavo. Sehandira chaiyo, vainge vari pazvigaro zvoumambo ndakavatozomora ini. “Ndakawana upfumi hwendudzi dzavanhu sezvinongoita ruoko runenge rwawana dendere reshiri, uye sezvinongoita vanhu kuunganidza mazai akaramwiwa, ndokukukucha zvangu kwandakaita nyika. Hapana akambosimudza bapiro kana kushama muromo kana kuti chwe-e.” “Iro demo ringadhadhairire here munhu anoritemesa, iro soo ringadadire here anorichekesa wacho? Sokunge mubhadha ungavheyese anousimudza, kana kuti tsvimbo ingasimudze iye asiri chimuti!” Naizvozvo Tenzi Tenzi wehondo nehondo achatumira denda rokuperezeka muviri mukati mehweswa chaidzo dzevarwi vake, mukati momukurumbira wake muchapisa sokupisa kunoita moto uri kubvira. Mwenje weIsiraeri uchaita somoto. Anoera wake achaita serimi romoto, uchapisa nokuroromesa minzwa yake norukato nezuva rimwechete. Masango ake ane mukurumbira neminda yake inopa, Tenzi achaparadza zvose mweya nomuviri, zvichiita somurwere aperezeka muviri. Miti yemasango ake ichasara yava mishoma zvokuti mwana muduku angatogonawo kuiverenga. Pazuva iroro chitsama chevaIsiraeri vanenge vasara nevemba yaJakobho vakapunyuka rufu vachange vasisazemberane norudzi rwakavarova asi vachazembera pana Tenzi Anoera waIsiraeri pachokwadi. Chitsama chichadzoka, chitsama chevokwaJakobho chichadzokera kuna Mwari Samasimbaose nokuti kunyange zvazvo vanhu venyu vaIsiraeri vakawanda sejecha rokumahombekombe kwegungwa, chitsama chavo chete ndicho chichadzoka. Zvokuparadza izvi zvakatotemwa zviri chinhu chizere noururami, nokuti Tenzi Mwari wehondo achanyatsopedza kuita zvaakatema mukati menyika yose. Naizvozvo zvanzi naTenzi, Tenzi wehondo nehondo, “Imi vanhu vangu vagere muZioni musatye zvenyu vaAsiria pavanokurovai netsvimbo yavo vachikusimudzirai shamhu sezvakaita vaIjipiti, nokuti mushure mekanguva kadikidiki hasha dzangu dzichapera asi ini nehasha dzangu ndovapindukira kuvaparadza. Tenzi wehondo nehondo achavasumudzira shamhu yokuvarova somurovero waakaita Midhiani padombo rokuOrebhu, tsvimbo yake ichange yakatambanudzirwa pamusoro pegungwa achiisimudza sezvaakaita muIjipiti. Pazuva iroro mutoro wake uchabviswa pamapfudzi ako; joko rake richatyorwa rigobviswa pamutsipa penyu.” Asiria yakakwidza achibva kuRimoni, yakasvika kuAiati, yakapfuura nokuMigironi yakasiya yachengetesa nhumbi dzayo kuMikimashi. Yadimura napamupata wegomo yakazorara yava kuGebha, guta reRama radedera vomuGibhia guta rokwaSauro vakatiza. Ridza mhere iwe mukunda, guta reGarimu, teerera unzwe nhaiwe Raisha umudaire iwe Anatoti. Madhimena ririkutiza vagari vomuGebhimu votizira kundopotera. Iye nhasi uno wakare Asiria ichandomira yava kuNobhu ichazunza chibhakera chayo ichikungira gomo romukunda weZioni, chikomo cheJerusaremu chacho. Chionai, Tenzi Mwari wehondo nehondo achavakwazhura semapazi nesimba rinotyisa, mazipazi marefurefu achatemerwa pasi uye akati dzu-u mudenga achiarizhira pasi pasi. Achatemera pasi nedemo majokochwa amasango, uye Rebhanoni ichaparara pamwechete nemiti yayo mirefu. Naizvozvo pachigutsa chokwaJese pachatungira nhungirwa, bukira richamera pamidzi yake. Mweya waTenzi uchagara paari Mweya woungwaru newokunzwisisa Mweya unopa zano newesimba Mweya woruzivo newokutya Tenzi. Zvokutya Tenzi ndozvaanofarira. Haatonge nezvaanoona nameso chete kana kutevedza zvaanonzwa nenzeve asi kuti achatonga varombo zvakarurama achipipirira vatamburi vepanyika uye nyika achairova neshamhu yomuromo wake nefemo romuromo wake anopfuudza vakaipa. Ururami ndihwo huchava bhandhe raanosungisa muchiuno chake, kutendeseka kuri bhandhe rake muchiuno. Mhumhi ichagarisana zvayo nehwayana mbada icharara zvayo pamwechete nembudzana, mhuru neshumba nechigondora chakakora zviri pamwechetewo, zvichifudzwa zvazvo nemwana muduku. Mhou nebere zvichatofura pamwechete vana vazvo vachirara zvavo pamwechete, shumba ichafura sora semombe. Mwana ari kuyamwa achatamba zvake pamwena wemhakure ndumurwa ichiisa zvayo ruoko mumwena wechiva. Hazvizombokuvadza kana kuparadza mugomo rangu rose rinoera nokuti panyika pachange zvino pazara nokuziva Tenzi sokuzadza kunoita mvura gungwa. Pazuva iroro, bukira romudzi wokwaJese richamira sechiratidzo kudzindudzi dzavanhu, iyeyo ndiye achange wototsvagwa nevechirudzi, Nzvimbo yake yokugara ichava nomukurumbira. Nomusi iwoyo, Tenzi achatambanudza ruoko rwake kechipiri kununura chitsama chakasara chevanhu vake kubva kunyika idzi dzinoti: Asiria neIjipiti nePatirosi neItiopia neEramu neShinari neHamati nenyika dzokumahombekombe kwegungwa. Achasimudzira marudzi avanhu chiratidzo achikokorodza vasemwi veIsiraeri agounganidza vanhu vokwaJudha vakamwarariswa kubva kumativi mana enyika. Pfini dzevokwaEfuremu dzichapera, vanovenga vokwaJudha vachapera. VokwaEfuremu havachazoitira shanje vokwaJudha vokwaJudha havazotambudza vokwaEfuremu asi vachatoita chirwirangwe kurwisa vaFirisitia kumadokera uye pamwechete, vachapamba vanhu vokumabvazuva. Vachaita mubatirapamwe kurwisa Edhomu neMoabhu, vaAmoni vachavateerera. Tenzi achanyatsoparadza muromo wegungwa reIjipiti, achavheyesa ruoko rwake pamusoro peRwizi rwacho nemhepo yake inopisa zvakaipisisa kwazvo achirurova achiruparadzanisa kuita tukova tunomwe kuti vanhu vayambuke zvavo vachitsika pasi pakaoma. Pachava nomugwagwa mukuru unobva kuAsiria, wokuitira chitsama chavanhu vake vakasara sewakaitirwa vaIsiraeri pavakabuda vachibva kunyika yeIjipiti. Musi iwoyo iwe uchazoti “Ndinokutendai imi Tenzi nokuti kunyange makambondishatirirwa zvenyu kushatirwa kwenyu kwakapera mukandinyaradza. Tarisai muone, kuti Mwari ndiye ruponeso rwangu, ndinovimba naye handichatyi nokuti iye Tenzi Mwari, ndiye simba rangu, ndiye rumbo rwangu ndiye ava ruponeso rwangu. “Muchafara muchiteka mvura mumatsime oruponeso.” Pazuva iroro muchati, “Ngatitendei Tenzi tidaidze zita rake tiparidze mabasa ake kumarudzi avanhu tichivazivisa kuti zita rake izita romukurumbira. “Ngatirumbidzei Tenzi nokuti akaita zvinoshamisa, pasi pose ngapazvizive. Pururudzai muchiimba norufaro imi vagari veZioni nokuti Anoera weIsiraeri ari pakati pedu mukuru.” Iri shoko rinorema rakanangana neBhabhironi rezvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi: Pamhene zvapo pamusoro pechikomo misaipo chiratidzo muzhambarare kudaidzira kwavari muvaninire ruoko kuti vapinde mumisuo mikuru yokuvakuru vakuru. Ini pachangu ndatema vanhu vangu vandakazvitsaurira ndikakoka magamba angu okurwa vanozvinzwa kuti vazopedzera hasha dzangu pavanhu ivava. Herwo ruzha rwemhomho yavanhu pamakomo runenge rwegurumwandira chairo ravanhu! Hero bongozozo redzinyika, rwamarudzi ari kukokorodzana pamwechete! Tenzi wehondo nehondo ari kuunganidza hondo yavarwi yokurwisa. Vanobva kunyika iri kure uko, vachibva kwakaperera denga chaiko, Tenzi nezvombo zvake zvehondo zvokushatirwa kwaakaita kuzoparadza nyika yose zvayo. Hwihwidzai kuchema, nokuti Zuva raTenzi rava padyo, iroro richasvika riri zuva rokuparadza kwaSamasimbaose. Naizvozvo maoko ose acharukutika munhu wose acharohwa nehana zvichivakanhamisa. Vachabatwa nokurwadziwa zvokutodemba, vacharwadziwa somukadzi ari pakusununguka. Vachangoti nde-e kutarisana vazvishayira pazvo zviso zvavo zvichidikitira. Hero Zuva raTenzi rouya! Zuva routsinye nokutsamwa nerehasha dzinotyisa rokusiya nyika yava renje nokuparadza vatadzi mairi; nokuti nyenyedzi dzedenga negurusvusvu radzo dzichange dzisisavhenekere, zuva richange rakasviba pakubuda kwaro, mwedziwo usisina chiedza chaunopa. “Ndicharangira nyika zvivi zvayo uye vatadzi uipi hwavo. Ndichapedza kuzvikudza kwose kwavanozvitutumadza, ndichitonhodza kuzvinyundumadza kwavasingakatare. Ndichaita kuti vanhu vave vashoma kupinda ndarama yakanyatsokwenenzverwa. Kuwana vanhu kunenge kwotonetsa kupinda kuwana chidimu chendarama yokuOfiri. Naizvozvo ndichaita kuti matenga azunguzike pasi pandengendeke pabve panzvimbo yapo pamusana pehasha dzaTenzi wehondo nehondo pazuva rehasha dzake dzinotyisa. Semhara iri kudzingirirwa kana kuti sehwai dzisina anodzikokorodza mumwe nomumwe achaenda kuvanhu vokwake munhu achitizira kunyika yokwake. Anenge angowanikwa anobayiwa anenge angobatwa anofa nebakatwa. Pwere dzavo dzichapwashurwa vakatarisa dzimba dzavo dzichipambwa vakadzi vavo vachibhinywa. “Chionai ndavakuvamutsira vaMidhia vasina hanya nesirivha kana kufarira zvendarama. Uta hwavo hucharakasha kuuraya majaya vachange vasina tsitsi norusvava kana kuitira vana tsiye nyoro. Bhabhironi, guta rinoshamisa panyika dzose mbiri nechidadiso chevaKaridhea richaita seSodhomu neGomora paakaparadzwa naMwari. Hamuzombofa makagarwa kana kumboitwa musha imomo pazvizvarwa zvose zvazvo. Hakuna muArabhu achazomisa tendhe rake imomo hakuna vafudzi vachararisa hwai dzavo imomo. Asi muchatorarwa zvamo namakava esango, dzimba dzavo dzichazara namazizi namajijidza. Mhou dzichagaramo uye zvidhoma zvichatambiramo. Mapere acharidza zvawo huwi munharire dzavo namakava achihukura, mumizinda yavo inoyevedza. Nguva yaro yatosvika mazuva acho zvemberengera hapasisina.” Tenzi achanzwira Jakobho ngoni achisarudzazve Isiraeri uye achavaita kuti vagare munyika mavo, vatorwa vachazobatana navo kugaramo vagoti kwati kwati kune vemba yaJakobho. Vechirudzi ava vachavatora vachivaendesa kwavo uye veimba yaIsiraeri vachavaita vavo munyika yaTenzi sevaranda vavo vechirume nevechikadzi. Vachatapa zvavo vacho vakambovatapa ivavo votonga zvino vaye vokumbovabata zvakaipa. Tenzi paachakuzorodzai kumarwadzo enyu nomupfumvu yenyu nepabasa rakaomarara ramaishandiswa, muchatotsvinyirawo mambo weBhabhironi muchiti, “Hezvoka, nyakuitira vamwe zvakaipa, zvakuperera kuzvitutumadza nehasha kwapera. Tenzi atyoranisa shamhu yomuipi, iyo tsvimbo yamadzishe akarova ndudzi dzavanhu akashatirwa achadakarira kurova chete, achitonga dzindudzi dzavanhu akatsamwa achivaonesa ndondo pasina zvokumbomira. Nyika yose yave norugare norunyararo vanhu vachitomboimba zvavo. Miti yemisaipurasi yototi toko waro nokufara! Miti yemusidhari yokuRebhanoni yotiwo, ‘Kubvira musi wawakanzi pasi mbombombo nevokutema miti havachambotivinga.’ “Nzvimbo yavakafa, yavachakabvu yatozhandanuka kuzochingurana newe, paunosvikako inomutsa vachakabvu kuti vakukwazise vaiva vatungamiriri panyika. Inovasimudza pazvigaro zvavo zvoumambo vose vaimbova madzimambo endudzi dzavanhu. Vose vachataurawo kwauri vachiti, ‘Newe wachitiwo rukutu sesu! Tafanana! Kuenda mbiri kwako nomutinhimira wemadimbwa ako zvachinzi pasi mbombombo, munzvimbo yevachakabvu, zvidukutse ndizvo zvava bonde rako, poworara honye ndodzava gumbeze rako.’ “Zvakuvingaka! Kutotozomoka mudenga kudai, iwe Nyamatsatsi, hweva yamangwanani zvauya sei kuti unzi pasi rikiti, iyewe waimbombomesa ndudzi dzavanhu, waizviti nechomumwoyo, ‘Ndichaita chitundumusere-musere chaicho kukwira kudenga kupfuura nyenyedzi dzaMwari, ndiise chigaro changu choumambo pamusoro, nditi zvangu tendhe kugara pagomo padare ravo riri kuchamhembe uko. Ndichakwira kumusoro kwamakute, ndizviite soWokumusorosoro.’ Asi waunzwa pasi kunzvimbo yevachakabvu pasi pasi chaipo peGomba. Vachakuona vacharamba vakakuti kanha kutarisa vachifunga nezvako vachiti; ‘Ndiye here chokwadi munhu aiita kuti pasi padedere uyu? Aingwendesa dzinyika, nyakuita kuti nyika ive segwenga achikurira maguta ayo, vasungwa vake, asingavabvumire kudzokera kumusha?’ Madzimambo ose arere zvawo nomukurumbira wawo mumwe nomumwe muguva rake, asi iwe warasirwa kunze, kure neguva rako sokusemwa kunoitwa kusvodza, wakomberedzwa navakaurayiwa, vaya vakabayiwa namapakatwa vanoenda mumatombo eGomba sechitunha chiri kutsikirirwa zvacho netsoka. Hauzi kuzovigwa sezvavakaitwa pamusana pokuti wakaparadza nyika yako ukauraya vanhu vako. Zvizvarwa zvevaiti vezvakaipa ngazvirege kana kuzombodomwa zita. Gadzirirai kuuraya vanakomana vake pamusana pemhosva dzamadzibaba avo, vangadaro vakamukira nyika vakaiita yavo vakazadza pasi pano pose namaguta.” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Ndichavamukira ndigotsakatisa muBhabhironi zita nechitsama chacho chakasara, mwana wose zvake nechizukuru chose, ndizvo zviri kurehwa naTenzi. Ndichaiita kuti ive musha wenguruve dzomusango namadziva emvura ndichaitsvaira nomutsvairo wokuparadza ndizvo zviri kurehwa naTenzi wehondo nehondo.” Tenzi wehondo nehondo apika achiti, “Zvandakaronga ndizvo zvichaitika izvozvo uye zvandakati zvinoitwa ndizvo zvinoitika. Ndichaparadza vaAsiria munyika mangu ndigoitsokodzera netsoka dzangu joki ravo richibva rabva pavari nomutoro wavo uchibva waturwa pamapfudzi avo.” Ichi ndicho chinangwa chakatemwa chakanangana napasi pose uye urwu ndirwo ruoko rwacho ruchine shamhu ichiri mudenga yokuranga marudzi ose avanhu. Nokuti Tenzi wehondo nehondo atema izvozvo ndiani achazvidzivisa, ruoko rune shamhu ruchiri mudenga ndiani acharudzora. Mugore rakafa mambo Ahazi kwakauya mutoro weshoko iri raiti, “Musafare zvenyu vaFirisitia, mose zvenyu muchiti shamhu yaitirova yakatyoka nokuti panzvimbo penyokawo zvayo pava kubuda chiva, vana vacho vachava nyoka dzinobhururuka. Asi varombo vokupedzesera vachafura zvavo mumafuro angu vapemhi vachinyatsogarikana, asi ndichauraya dzinde rako nenzara uye chitsama chevako chinenge chasara ndichachiuraya. Iwe suo guru hwihwidza kuchema, iwe guta chema. Gwambai nokutya imi vaFirisitia, gwambai imi mose zvenyu. Nokuti kuri kuuya utsi huchibva kuchamhembe muhondo yake imomo hamuna mbwende.” Chii chatichapindura nhume dzavaFirisitia? Tichati Tenzi akavaka guta reZioni, mariri vanhu varo vachawana pokuhwanda. Shoko rakanangana neMoabhu. Guta reMoabhu, Ari, raparara nousiku umwechete ndokupararawo kwenyika yeMoabhu ikoko. Guta reKiti raparara nousiku umwechete ndokupararawo kwenyika yeMoabhu ikoko. Vanhu vokuDhibhoni vakwira kunzvimbo dzakatunhumara dzokunamata kundochema, nyika yeMoabhu inochema guta reNebho neMedhebha, Moabhu inoungudza kuchema, musoro wose wava muparavara vose vaguswa ndebvu. Mumigwagwa vanopfeka masaga, vapamusoro pedzimba nomunhandare vanhu vari kubongomora vachimokoteka misodzi. Guta reHeshibhoni neEreare ari kuridza mhere, kuchema kwavo kuri kunzwika kunyange kuJahazi. Naizvozvo varwi vokuMoabhu vari kudandaura kuchema vapindwa nokudedera. Mwoyo wangu unochema Moabhu, vanhu vayo vanotizira kuZoari, vanosvika kwose nokuEgiratisherishiya nokuti vanokwira mukwidza wokuRuhiti iri mhere chete kuhwihwidza nokunzira yokuHoronaimu vari kuchema kuparadzwa kwavo. Mvura yokuNimurimu yakapwa, uswa hwakaoma, bundo hapachisina, hapachisina kana chinyoro. Naizvozvo upfumi hwavakawana, vakachengeta vavakutohutakura kuyambuka kaKova Kemushambangwena. Mhere yavo iri kusvika kumiganhu yenyika yeMoabhu, kubongomora kwavo kuchisvika kuEgirami kuungudza kwavo kuchisvikawo kuBhierierimu. Mvura yokuDhimoni izere ropa asi ndichatounza rimwe rakawanda muDhimoni vanenge vapotera munyika yeMoabhu nechitsama chavo chichange chasaramo ndichavasasadzira shumba. Vanhu veMoabhu vari kuguta reSera riri kurenje vakatumira hwayana kumutongi wenyika, kugomo romukunda, guta reZioni. Seshiri dziri kupupurika, samanyana amwararidzwa, ndozvangoitawo vakunda veMoabhu kumazambuko aArinoni, vachiti, “Tipeiwo mazano mutiitirewo zvino ruenzaniso, mumvuri wenyu uti gude gude sousiku zuva richirova panhongonya, mungovigiridzawo waro vasemwi, musaburitse pachena vanenge vapotera. Regai zvenyu vasingadiwe kuMoabhu vambotiwo garei zvavo pakati penyu muve diziro ravo rokuhwanda muparadzi. Pachazenge zvamuperera wokudzvinyirira vamwe uyu, zvokuparadza izvi kusisina, naiye nyakutsokodzera vamwe netsoka atsakatika panyika, ndopachagadzikwa chigaro choumambo chichimiswa nenyasha. Pachiri, mumwe akatendeseka wetendhe rokwaDhavhidhi achagarapo. Iyeyo anenge ari munhu anotonga akanangana noruenzaniso uye anokurumidza kuita zvakarurama.” “Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu nokudada kukuru kwayaiita; nezvokuzvitutumadza kwayo nokuzvitora kwainoita, nokutafura kwayo kuzvizuwidza kwayo, hakuna chakunobatsira.” Naizvozvo Moabhu ngaizvicheme, rungairai chaizvo kuchema, munhu wose ngaacheme Moabhu, ngavacheme zvambwa zvamagirepisi okuKirihareseti nokuti minda yokuHeshibhoni neminda yamagirepisi yokuSibhuma yosvava, madzishe edzindudzi akakwazhura mapazi ayo aisvika kana nokuJazeru achirasikira nokugwenga uko; nhungirwa dzacho dzichitandira uko nouko dzichitopfuura zvadzo napamusoro pegungwa. Naizvozvo ndochema ini sokuchema kuri kuita vokuJazeru, kuchema minda yamagirepisi yokuSibhuma. Ndinonyorovesa nemisodzi, iwe guta reHeshibhoni newe guta reEreare nokuti michero yako nezvaunokohwa muminda zvawirwa nehondo. Zvokupembera nokufara izvi zvabviswa mumunda unobereka. Muminda yamagirepisi hamuna rwiyo ruri kuimbwa kana mhururu dzinorira wokusvina waini, mokusvinira hapasisina huro dzepajakwara rokusvina dzachiti zii kunyarara. Naizvozvo mweya wangu uri kudandaura sechipendani kuchema Moabhu, nomwoyo wangu uchishungurudzirwa Kiriheresi. Moabhu painouya ichizvitambudza kuuya panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira painouya kunzvimbo yayo inoera kuzonamata, hapana chimuko kwairi. Iroro ndiro shoko rakanga rataurwa kare naTenzi rakanangana neMoabhu. Asi zvino Tenzi anoti, “Mumakore matatu, sezvinoita makore omunhu anoita marikicho, mbiri yeMoabhu ichashorwa kunyange zvazvo aine gurumwandira ravanhu iroro, vachapunyuka rufu vacho vachange vari vashoma dziri ndonda zvadzo.” Shoko rakanangana neDhamasikusi chinzwai munzwe, “Dhamasikusi, zvokuva guta izvi zvichariperera richava murwi wematongo. Maguta aAroeri achagara asisina munhu achatenge zvawo ava ezvipfuwo zvicharara zvazvo pasi, pasisina anozvivhundutsira. Guta retsvingo richaparara kwaEfuremu kuDhamasikusi umambo huchabviswa chitsama chichasara cheveSiria chichaita zvakaitika kumukurumbira wevanhu vokwaIsiraeri,” ndizvo zviri kurehwa naTenzi wehondo nehondo. “Pazuva iroro mukurumbira wokwaJakobho uchanyatsoti pasi mbombombo. Kukora ikoko kuchapera. Zvichaita somunda wakohwiwa hura dzimire, wakohwiwa hura idzodzo namaoko, somunhu anofuhwa hura idzodzo mubani reRefaimu. Hongu zvokufuhwa zvichasarawo zvirimo sezvinongoitawo muti womuorivhi kana wagumwa. Maorivhi maviri kana matatu anosara pabazi rokumusorosoro, michero mina kana mishanu pamapazi omuti womuchero.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari weIsiraeri. Pazuva iroro vanhu vachave nehanya nomusiki wavo votarisa kune mururami weIsiraeri. Vanenge vasisina hanya neatari dzavakavaka namaoko avo vasisatarise kune zvinhu zvakaitwa neminwe yavo, zvingave maAshera kana atari dzorusenzi. Pazuva iroro maguta avo akasimba achaita samatongo avaHivhi naavaAmori avakatiza pamusana pavaIsiraeri, achava renje. Ndinodaro nokuti imi makakanganwa Mwari ruponeso rwenyu mukakanganwa dombo ramunopotera. Naizvozvo kunyange mukadyara mbesa dzakanaka kana kusima migirepisi yavamwari vokumwe kunyange mukadziitisa kuti dzikure nezuva ramunodzidyara, muchidziitisa kuti dzitumbuke mangwanani ezuva ramunodzidyara zvokudzikohwa zvichakunzvengai ava mazuva enhamo nokurwara kusingarapiki. Mai we-e, mutsindo wendudzi dzavanhu vakawanda unotinhira samaungira egungwa, mai we-e kutinhira kwendudzi dzavanhu vanoriridza sokutinhira kwemvura zhinji ndudzi dzavanhu dzinoriridza sokutinhira kwemvura zhinji. Vachadzitsiura dzigoti ware kutizira kure sehundi inopupurutswa nemhepo mugomo sechamupupuri chedutu remhepo kumanheru heyo hondo inotyisa, mambakwedza hapasisina aripo ndiwo mugove wavanotipamba mugove wavanotitorera zvinhu zvedu. Hameno zvayo nyika yamapapiro anobhabhama iri mhiri kwenzizi dzokuItiopia inotumira vamiririri nomuna Nairi nomagwa enhokwe pamvura, ichiti, “Chiendai imi nhumwa dzinokurumidza kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera vanhu vanotyiwa padyo nokurekure rudzi rune simba runokurira rune nyika yakakamuraniswa nehova. “Imi mose vagari vapasi pose imi mugere panyika, kana pamakomo pasimudzwa mucherechedzo, tarisai, kana kwaridzwa bhosvo, teererai nokuti Tenzi ati kwandiri, ‘Ndichatarisa chinyararire ndiri kwandigere sokupisa kwezuva masikati machena, souma hwenguva yokupisa yapakukohwa.’ “Ndinodaro nokuti, panongoti kutumbuka perei ruva racho rava girepisi ratookuibva, achacheka nhungirwa dzacho nejeko rokupemhenesa, mapazi akatandavara achiatema. Vose zvavo vachasiyiwa vave nyama yeshiri dzomumakomo nokuzvikara zvapasi pano. Vachasaruka vachidyiwa, muzhizha vachichochonhwa neshiri, pachirimo vachibubunwa nezvikara zvesango. “Panguva iyo mipiro ichaunzwa kuna Tenzi wehondo nehondo zvichibva kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera, vanhu vanotyiwa padyo nokurekure, rudzi rune simba runokurira, rune nyika yakakamuraniswa nehova vachiuya nayo kuGomo reZioni nzvimbo ine zita raTenzi wehondo nehondo.” Shoko rakanangana neIjipiti. Tarirai muone “Tenzi agere pagore riri kumhanya chaizvo achienda kuIjipiti, zvifananidzo zvokunamata zveIjipiti zvichadedera nokuvapo kwake, vaIjipiti vachadumbirwa nazvo. Ndichaita kuti vaIjipiti vamukirane, vacharwisana pachavo, mumwe achirwisana nomumwe wake, maguta achirwisana pachawo, madzimambo achirwisanawo pachawo, VaIjipiti vacharasiswa mwoyo, ndichavhiringidza mazano avo. Ivo ndopavachaenda kundobvunzira kuzvifananidzo zvokunamata, nokuna vano un'anga hwokufembera namaminimini vachindobvunzirawo kumidzimu nokun'anga. Iniwo ndopandicharamwira vaIjipiti ivavo, mumaoko atenzi ano mwoyo wakaoma, vatongwe namambo anotyisa ndizvo zviri kutaurwa naTenzi Tenzi wehondo nehondo.” Mvura yomuna Nairi ichapwiswa rwizi ruchanyatsoti papata kuoma. Migero yayo ichava gutukutu kunhuwa, tukova tunodira muna Nairi yeIjipiti tuchaserera tugopwa, tsanga nenhokwe dzichaora. Kuchaita madzvanga madzvanga muna Nairi kumahombekombe aNairi, zvose zvinodyarwa pedyo naNairi zvichaoma zvigopeperetswa pasare pasisina. Varedzi vachaungudza vachichema, vose zvavo vanokanda chirauro muna Nairi vachanyatsoti gojoto, ivavo vanokanda usvasvi mumvura. Vashandi vanokuruza rwodzi rweFurakisi, vachaora mwoyo pamwechete navanoruka machira nedonje jena. Varuki vamachira vachadumbirwa nazvo vashandi varasa mwoyo. Machinda okuguta reZoani, mazipenzi chaiwo evanhu, ngwazi dzomakurukota aFarao dzinopa mazano asina nomusoro wose. Ndicho chii chamunotaura kuna Farao muchiti, “Ini ndiri mwanakomana wengwazi, mwanakomana wamadzimambo echinyakare?” Ko zvino ngwazi dzenyu dziripi? Ngadzichikutauriraika, dzifanokuzivisai zvarongwa kuitwa kuIjipiti naTenzi wehondo nehondo. Machinda okuguta reZoani ava mapenzi avanhu uye machinda okuguta reMemufisi, azofuririkana; vakuru vakuru vomumadzinza eko vateteretsa Ijipiti. Tenzi apinza mukati mayo mweya wenyonganyonga vakaita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvazvo zvainoita sokudzadzarika kunoita chidhakwa mumarutsi acho. Hapana chichagona kuitwa muIjipiti nenhungamiri nevokumuswe vacho kana kuitwa nebazi romurara kunyange norutsanga zvarwo. Pazuva iroro vaIjipiti vachaita savakadzi chaivo vodedera kutya simba roruoko rwaTenzi wehondo nehondo runenge rwozunzwa pamusoro pavo. Nyika yokwaJudha ichava chazezesa kuvaIjipiti. Anongoinzwa chete ichidomwa achatya pamusana pedzavarongerwa naTenzi wehondo nehondo. Musi iwoyo munyika yeIjipiti muchava namaguta mashanu anotaura rurimi rweKanani vachitopika naTenzi wehondo nehondo. Rimwe rawo richanzi, “Gutarezuva.” Nomusi iwoyo kuchava neatari yaTenzi mukati menyika yeIjipiti nomusimboti waTenzi kumuganhu kwayo. Zvichange zviri chiratidzo chinopupurira Tenzi wehondo nehondo munyika yeIjipiti pavanochema kuna Tenzi pamusana pevanodzvinyirira vamwe iye anozovatumira mununuri achavadzivirira achivaponesa. Tenzi achazvizivisa kuvaIjipiti, vaIjipiti vachazivawo Tenzi pazuva iroro vagomupfugamira nokupira kwaari zvibayiro nomupiro wokupisa. Vachapika mhiko kuna Tenzi vachidzichengeta. Tenzi acharova Ijipiti nedenda, airova kudaro, achazoiporesa, ivo vachazotendeukira kuna Tenzi, iye achazonzwa zvichemo zvavo agovarapa. Nezuva iroro kuchava nomugwagwa mukuru unobva kuIjipiti uchienda kuAsiria. VaAsiria vachauya muIjipiti, vokuIjipiti vachiendawo kuAsiria uye vaIjipiti vachanamata pamwechete nevaAsiria. Pamusi iwoyo Isiraeri ichava yechitatu kunyika yeIjipiti neAsiria dzichange dzava chikomborero chaicho pakati penyika, Tenzi wehondo nehondo, dzaachakomborera achiti, “Makakomborerwa zvenyu imi vanhu vangu vaIjipiti, nemi vaAsiria vandakasika namaoko angu, nemi vaIsiraeri nhaka yangu.” Mugore rakatumwa mutungamiriri mukuru wehondo naSarigoni mambo weAsiria akaenda kuAshidhodhi akarirwisa, ndokurikurira. Panguva iyoyo, Tenzi akanga afanotaura nokuna Isaya mwanakomana waAmozi kuti, “Enda unosunungura mutikisha wamasaga uubvise muchiuno mako, ubvise shangu dzako mumakumbo.” Akaita saizvozvo, ava kufamba ari mutwi asina shangu, Tenzi akati, “Sokufamba kwakaita Isaya muranda wangu ari mutwi asina kupfeka shangu kwamakore matatu nechiratidzo kuIjipiti neItiopia ndizvo zvichaita mambo weAsiria. Achatinha nhapwa dzevaIjipiti nevaItiopia achienda nadzo vose zvavo vakuru navadiki vari mutwi vasina shangu mumakumbo magaro ari pachena, chinhu chinonyadzisa muIjipiti. Ipapo zvichavapazamisa misoro vachitonyarira Itiopia yavaivimba nayo neIjipiti chidadiso chavo. “Vagari venyika yomumahombekombe megungwa muno, pazuva iroro vachati, ‘Tarisai muone zvaitika kuvanhu vaya vataivimba navo, kuvanhu vaye kwataitizira kundobatsirwa kuti tinunurwe mumaoko mamambo weAsiria! Zvino isu tingapapunyuke sei ipapa?’ ” Herino shoko rakanangana nerenje rokugungwa. Sokutsvaira kunoita chamupupuri munyika yeNegevhu chinouya chichibva kugwenga, chichibva kunyika inotyisa kwazvo. Ndakaziviswa nezvechiratidzo chakaomarara, mupambi wopamba, muparadzi woparadza. Eramu enda uku, Midhia komba kutura mafemo kwose kwawakakonzera ndichakupedza. Ipapo ndarwadziwa kwazvo zvokuti muchiuno mangu, handichagona. Ndabatwa ini namarwadzo samarwadzo omukadzi ari kusununguka. Ndakotamiswa zvokuti handichanzwa, ndatopazamiswa nazvo zvokuti handichaona. Ndatenderera musoro, nhamo yandishayisa chokuita. Mambakwedza andanga ndichichemera andisandukira akava nguva yokuhuta kudedera. Hezvo vogadzikira chokudya pateburu vowaridza dzichari vachidya vachinwa zvavo. “Mukai machinda, zorai nhoo mafuta,” nokuti Tenzi akanditi, “Enda unoisa munhu nharirire azivise zvaanenge aona. Saka kana aona vachairi vengoro dzehondo dzamabhiza akabopwa ari maviri maviri navanhu vakatasva madhongi navakatasva ngamera, ngaanyatsoteerera, ateererese chaizvo.” Ipapo nharirire iya yakati, “Tenzi, ini ndimire panharire pano pandinoswera ndiri masikati nousiku hwose ndopandinenge ndiri.” Zvino havo vauya vachairi vengoro dzehondo dzamabhiza akabopwa ari maviri maviri! Iye akati, “Yaparara, yaparara Bhabhironi pamwechete nezvifananidzo zvose zvavamwari vayo azvibwadamurira pasi.” Nhai nyakupurwa, nyakuurutswa wangu zvandanzwa kuna Tenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, ndozvandinokuzivisa. Herino shoko rakanangana neDhuma. Mumwe ari kudaidza kwandiri ari kuSeiri, ari kuti, “Nharirire we-e kusvikira riniko nousiku ihwohwu? Nharirire we-e, kusvikira riniko nousiku ihwohwu?” Mutariri ndokuti, “Mangwanani achauya uye usiku huchauya zvakare. Kana uchida kuzobvunza, dzoka zvako uzobvunza.” Herino shoko rakanangana neArabhia. Mumajokochwa amasango omuArabhia ndomamuchatogara, imi vamadungwerungwe engamera vokwaDhedhani ane nyota muigirei mvura, anenge apotera muchingureiwo nechokudya, imi vagari venyika yokwaTema, nokuti vakatiza mapakatwa, vachitiza bakatwa rakaburitswa muhara, nouta hwakanga hwatatamurwa, kuri kutiza hondo yatsviriridza kurwiwa nokuti Tenzi akanditi, “Gore risati rapera sezvakangoita makore amarikicho mbiri yose yokwaKedhari ichapera kuti hwa. Uye marimbirimbi evarwi vemiseve vokumagamba ehondo okuvanakomana vokwaKedhari vachava vashoma nokuti Tenzi Mwari weIsiraeri ndizvo zvaareva.” Herino shoko rakanangana neBani Rechiratidzo. Ndochii chamaita ichochi chokukwira mudenga, mose zvenyu pamatenga pedzimba kudaro iyewe uzere mheremhere guta rebongozozo guta ramafaro? Vako vakaurayiwa, havana kuita zvokuurayiwa nebakatwa kana kufira muhondo. Vatongi vako vose zvavo vati ware kutiza pamwechete, asi vabatwa pasina kana kumboshandiswa uta. Vako vose vangowanikwa, vabatwa, kunyange vanga vatizira kure kure. Naizvozvo ini ndati, “Ndifuratirei zvenyu ndicheme zvangu misodzi yeropa. Regai kuzvinetsa nokundinyaradza pamusana pokuparara kwomukunda wevanhu vokwangu, Jerusaremu.” Chiripo ndechokuti, Tenzi Mwari wehondo nehondo ane zuva rebongozozo nokutsokodzera nemanyongori mubani rechiratidzo, rokuwondomorera pasi rusvingo nokudaidzira kumakomo. Eramu ndoyakapakata mukutu iine ngoro dzehondo nevarwi vemabhiza, uye vaKiri voisa nhoo pachena. Mapani enyu akanakisisa achiti shutu nengoro dzehondo, varwi vemabhiza vamira panzvimbo dzavo pamusuo mukuru. Abvisa changa chichidzivirira vokwaJudha. Nomusi iwoyo makandotarisa zvombo zvokurwisa nazvo zvokuImba yezvokuimbayesango mukaona kuti zvikanganiso zveGuta raDhavhidhi zvakanga zvakawanda mukandoteka mvura yokudziva rezasi. Mukaverenga dzimba dzomuJerusaremu mukapaza dzimba movakiridza rusvingo kurusimbisa. Makagadzira zigaringiro rokuchengetera mvura pakati petsvingo mbiri rokubata yomudziva rekare riya. Asi hamuna kutarisa kwaari iye nyakuriita kana kumbokendenga zvenyu nezvaiye akaronga kareko kuti rizoitwa. Pazuva iroro Tenzi Mwari wehondo nehondo akati vanhu vaungudze kuchema vaine miparavara vakapfeka hanzu dzamasaga. Hoko kupembera nokusasana pachibayiwa mombe nehwai nokudyira-dyira nyama nokunwira-nwira waini vachiti, “Ngatidyei tinwe nokuti mangwana tinofa.” Tenzi wehondo nehondo pachake akandizivisa ndikazvinzwa nenzeve dzangu idzi kuti, “Havambofa vakaregererwa uipi ihwohwu vanofa vakadaro,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi Mwari wehondo nehondo. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chiuya uende kuna Shebhuna mutariri wokumuzinda umubvunze kuti, ‘Chii chauri kuita pano? Waunovimba naye ndiani chaizvo kutozvicherera zvako guva mudombo kudai, iwe unotozvicherera zvako guva mudombo pamusorosoro kudaro uchitozvivezera imba mudombo nhai?’ Chinzwa, Tenzi achanyatsokuti hupukupu kukukanda kure, iyewe mukweshwa werume. Achanyatsokuti dzvi kukubata agokuvheyesa chamudzungururu agokupotsera sebhora munyika yakapamhama. Ikoko ndokwauchafira, ikoko ndokuchava nengoro dzako dzehondo dzamandiriri, iyewe nyakufumura imba yatenzi wako. Ndichakudzinga pabasa, ndigokubvisa pachigaro chako chaunacho. Pazuva iroro ndichadaidza muranda wangu Eriyakimu mwanakomana waHirikiya ndigomupfekedza gemenzi rako bhanhire rako ndirisunge paari ndigoisa ukuru hwako mumaoko ake, iye achizova baba wavagari vomuJerusaremu nevemba yokwaJudha. Iye ndiye wandichatakudza pamafudzi basa rokuva nekiyi dzemba yaDhavhidhi. “Kana azarura, hapana anokwanisa kuzarira, Kana azarira hapana anogona kuzurura. Ndichamuroverera sehoko panzvimbo yakanyatsosimba, achave noumambo hunopa mukurumbira kuimba yababa vake. Vemba yababa vake vachamuti memete vakarembera vose paari vana navazukuru semidziyo midiki yose yomumba kubvira kumakapu kusvikira kuzvirongo zvose zvikuru. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, nomusi iwoyo hoko yakanga yarovererwa panzvimbo pakasimba ichazunguzika, ichatemwa igowa. Ipapo mutoro wakanga wakaiswa pairi uchaparadzwa, nokuti ndozvataurwa naTenzi.” Herino shoko rakanangana neguta reTire. Imi ngarava dzokuTarishishi ridzai mhere nokuti guta reTire raparadzwa, harisisina imba kana dumba zvaro! Shoko irori richasvika kwamuri richibva kunyika yeSaipurasi. Batai mwoyo imi vagari vokumahombekombe kwegungwa, imi vokuSidhoni vemhindu dzokutengesa zvinhu. Nhume dzenyu dzakapfumiswa navanhu vanofamba nengarava, dzichange dzava pamvura yakawanda, chenyu chamuchawana imbesa dzokuShihori, goho rokuna Nairi. Ndimi mava vemhindu dzokutengesa pamarudzi ose avanhu. Nyarawo kani iwe Sidhoni nokuti hwenje hwegungwa hwati handina kumborwadzwa kana kumbosununguka munhu. Handina majaya andakarera kana mhandara dzandakayarutsa ini. Kusvika kuchaita shoko iroro kuIjipiti vachashushikana mwoyo nezvichange zvawira Tire. Chitoyambukirai zvenyu kuTarishishi muchiridza mhere imi vagari vokumahombekombe kwegungwa. Ndiro guta renyu here ramafaro guta rapasi chigare rakatandira kune dzimwe nyika pamusana pevana varo vakaita chitsva chiri murutsoka? Ndiani akarongera Tire zvakadai, guta roumambo, raiva nevemhindu dzokutengesa zvinhu, vakanga vari machinda rine nevekutengesa zvinhu vairemekedzwa panyika. Tenzi wehondo nehondo ndiye azvironga kuti aparadze kuzvikudza kweveimba youmambo kunyadzisa vose vanoremekedzwa panyika. Tekeshera zvako nenyika yako sokufashukira kweNairi iwe mukunda, guta reTarishishi hapasisina achakudzivisa. Atambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa, akadederesa madzimambo Tenzi atemera Kanani chirevo chokuti nhare dzaro dzokuzvidzivira muhondo dziparadzwe. “Ati kwauri iwe zvamafaro zvakuperera iwe mhandara yaoneswa ndondo, mukunda, guta reSidhoni, simuka, uyambukire kuSaipurasi kunyange ikoko zororo hauna.” Chitarisai muone nyika iya haisiri Asiria havasiri vaAsiria asi kuti vanhu ava vechiKaridhea ndivo vakakanzera Tire kuti rive guta remhuka dzesango vakavaka nharire dzokurikomba nadzo vakaparadza mizinda yaro vakariita kuti rive dongo. Ridzai mhere, imi ngarava dzeTarishishi nokuti nhare yenyu yokuzvidzivirira muhondo yaparadzwa. Panguva iyoyo guta reTire richazokanganwika kwamakumi manomwe amakore, zvakangoenzana namakore amambo mumwechete panopera makore makumi manomwe iwaya zvichazoitika kuguta reTire sezvinotaurwa norwiyo rwepfambi runoti, “Pakata dimbwa utenderere neguta iwe pfambi yakakanganwika Ita mutinhimira wakanaka uchiimba nziyo dzakawanda kuti uzoyeukwawo.” Panopera makumi manomwe amakore Tenzi achashanyira guta reTire, iro richazodzokera kubasa raro rokuzvitengesa richiita upfambi nedzinyika dzose dzapanyika pano pose. Zvamabhindauko aro nezvebasa raro rokuzvitengesa zvichava zvinotopirwa kuna Tenzi, hazvizochengetwa kana kuvigwa asi kuti mabhindauko aro achatozowanisa vanogara pana Tenzi zvokudya nezvokupfeka zvakawanda. Chinzwai, Tenzi achaparadza pasi pose Achipaita renje achawondonga nyika achimwararanisa vageremo. Munhu wose achaitirwa zvimwechetezvo, vangave vanhu zvavo kana mupristi, angave muranda kana tenzi wake, angavewo musikana webasa kana amai vaanoshandira angave mutengi kana mutengesi, angave mukweretesi kana mukwereti, angave mudzoreri kana mudzorerwi. Pasi pose pachanyatsoparadzwa zvokunyatsoitwa dongo chairo nokuti Tenzi wazvitaura. Pasi pose pari kuchema, pauna, nyika iri kuperezeka nokusvava, matenga ari kuperezekawo pamwechete napasi pose. Pasi pose paipiswa navagari vemo nokuti vakadarika mitemo vakaramba mirao vakatyora chitenderano chokugara nokugara. Naizvozvo rushambwa rwaparadza pasi pose vagari vemo vanotambudzikira mhosva dzavo. Ndokusaka vagari vepasi pose vakatsva kwasara vanhu vashoma. Waini inochema migirepisi inosvava vose vamafaro vaya vari kutowuwura. Rufaro rwokuridza ngoma rwamiswa, ruzha rwevamafaro rwapera, rufaro rwokuridza zvipendhani rwamiswa. Zvokunwa waini vachiimba zvachiti nho-o, hwahwa, kune avo vanohunwa, hwava kuvava. Guta remhirizhonga rachiti pasi mbombombo, dzimba dzose dzachinzi gwibha gwibha kuzarira, zvokuti hapana anogona kupinda. Rave jemedzanwa mumigwagwa, pamusana pokushaya waini mafaro ose asvika kumapeto kwawo, rufaro rwapanyika rwarambidzwa. Muguta chasara hapasisina, misuo mikuru yabvungunjurwa kusara asakara. Izvozvo ndozvazvichaita mukati menyika, pakati pamarudzi avanhu sezvinongoita muti womuorivhi kana wagumwa, sepanguva yokufuhwa magirepisi nguva yokusvina waini yapera. Vanodaidzira vachiimba norufaro vanodaidzira nezvoukuru hwaTenzi kumadokero. Naizvozvo vokumabvazuva, rumbidzai Tenzi, vokunyika dzokumahombekombe kwegungwa, rumbidzai zita raTenzi, Mwari weIsiraeri. Kubva kwakaperera nyika tinonzwa nziyo dzokurumbidza, mbiri yaiye Mururami. Asi ndati, “Ndapera ini, ndapera simba! Nhamo yangu iyi, nokuti vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi, vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi chaizvo.” Imi vagari vapanyika kutya nehunza nomusungo zvavanemi. Anotiza maungira anotyisa achawira muhunza, anenge ati regai ndibude muhunza imomo anobva anzi kachi nomusungo nokuti mawindho edenga akazaruka nougaro hwenyika huri kundengendeka. Pasi pose panyatsomeduka-meduka, pasi pose patsemuka, pasi pose pazunzwa zvakaipisisa kwazvo. Nyika iri kudzedzereka sechidhakwa, iri kuzvebuka semba. Kukanganisa kwayo kuri kuiremera, iri kutoputsika, haichazombomukazve. Pazuva iroro Tenzi acharanga hondo dzomudenga, mudenga imomo madzimambo apasi ipo pasi pano vachaunganidzwa pamwechete savasungwa vari muhunza, vachapfigirwa mujeri mushure memazuva mazhinji vanozorangwa. Ipapo mwedzi uchaora zuva rigodzima nokuti Tenzi wehondo nehondo achatonga paGomo reZioni muJerusaremu acharatidza mbiri yake kuvakuru vakuru vake. Imi Tenzi, ndimi Mwari wangu, ndinokukudzai ndichirumbidza zita renyu, nokuti makaita zvinhu zvinoshamisa zvamakaronga kare kare zvino kutendeseka kwechokwadi; nokuti makaita kuti guta rive murwi guta retsvingo rive dongo muzinda wavanozvikudza hauchisiri guta hauchazombovakwa. Naizvozvo vanhu vane simba vachakurumbidzai, maguta avanhu voutsinye achakutyai nokuti ndimi diziro ravarombo, botero ravanhu vasina chavanacho, dumba rokuhwanda dutu nomumvuri wokuhwanda zuva nokuti kufemuruka kwemunhu ane utsinye kunenge dutu riri kurovera kurusvingo sokupisa kwenzvimbo yakaoma. Munonyaradza ruzha rwemabvakure sokutonhodza kunoita gute kupisa saizvozvo ndokunyaradzwa kunoitwa nziyo dzemunhu ane utsinye. Pagomo irori, Tenzi wehondo nehondo achaitira ndudzi dzose dzavanhu mabiko ezvakakora, mabiko ewaini isina kana kasese, mabiko ezvakakora zvizere mwongo ewaini yamasese akanyatsosvinwa. Achaparadza pagomo irori chakaputira marudzi ose, dandadzi rakaputira ndudzi dzose dzavanhu. Achatsakatisa rufu nokusingaperi, uye Tenzi, Tenzi achapukuta vose musodzi pamatama, uyewo achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake pasi pose, nokuti Tenzi ndiye azvireva. Pazuva iroro vanhu vachati, “Hauwoneka, uyu ndiye Mwari wedu watanga takamirira kuti atinunure. Uyu ndiTenzi, ndiye watanga takamirira, ngatichifarai tichipemberera kutiponesa kwake.” Simba roruoko rwaMwari richava pagomo irori, asi Moabhu achatsokodzerwa munzvimbo make sokutsokodzerwa kunoitwa mashanga mudanga. Achatambanudza maoko ake ari mukati maro sokutambanudza kunoita munhu anenge oda kushambira, asi Tenzi achaninipisa kuzvikudza kwake ikoku pamwechete noumhizha hwamaoko ake. Nhare ndefu dzokuzvidzivirira muhondo dzamasvingo ake achadzikoromora achidziparadza achidzirigira pasi pavhu chaipo. Musi iwoyo munyika maJudha muchaimbwa rwiyo urwu runoti: Guta redu, iguta rakasimba kununura kwaakatiita kwakabva kwava sorusvingo nechimudhuri chokudzivirira. Zarurai misuo mikuru, rudzi rwakatendeseka rupinde. Munhu anoramba pfungwa dzake dzakati kwati kwati nemi, munomuchengeta ari murugare chairwo nokuti anovimba nemi. Vimbai naTenzi narini wose nokuti muna iye Tenzi Mwari ndimo mubako rokugara nokugara nokuti akaninipisa vagari venyika dzokumusoro, guta rinozvikudza akaridukupisa akariti pasi mbombombo, muvhu chaimo kuriti umburu. Rinotsikwa-tsikwa zvaro netsoka, tsoka dzavarombo zvavo muchifambwa zvamo navasina chavanacho. Gwara rowakarurama muchechetere nzira yomururami munoiita kuti ive yakati sandara. Tenzi, zvamunenge matema imi ndozvatinomirira, imi ndimi watinomirira. Zita renyu risingakanganwike ndochido chemwoyo yedu. Ini ndinokushuwai nousiku, mweya wangu mandiri unokutsvakisisai kwazvo nokuti kana kutonga kwenyu kwasvika panyika vagari vepasi pano vanobva vadzidza ururami. Kana muipi akaitirwa zvakanaka, haazodzidza kururama, munyika yakarurama imomo iye anenge achingoita zvoujarijari asingamboona zvake ukuru hwaTenzi. Imi Tenzi, muruoko rwenyu shamhu iri mudenga, asi havasi kumbozviona. Chimbovaratidzai shungu dzamuinadzo nevanhu venyu, vanyare. Nehasha dzenyu dzinopisa ririmisai vavengi venyu. Imi Tenzi, ndimi muchatiwanisa rugare, nokuti basawo rose ratinoita iri, ndimi. Imi Tenzi, Mwari wedu, kune mamwe madzishe akambotitonga asirimi, asi imi ndimi mune zita ratinoziva. Madzishe acho iwayo akafa haachazombovazve mapenyu, vangova mimvuri havachazombomuka, ndokusaka makavaranga nokuvaparadza mukavatsakatisa zvokusamboyeukwa. Asi imi Tenzi makapamhidzira vanhu kurudzi rwedu, muchitiwanziridza murudzi rwedu. Imi munorumbidzwa makawedzeredza nyika yacho yose. Imi Tenzi, munhamo vakakutsvakai vakaita munamato yokudurura, pamaivaranga. Somukadzi anenge ano pamuviri anoyaura achichema mukurwadziwa kwake kana nguva yake yokusungunuka yasvika. Ndizvo zvatanga takaitawo isu tisiri panemi Tenzi. Takanga takazvitakura tikayaura asi takasununguka mhepo. Kununura nyika ino hatina, kunyange vagari vapanyika havana kukurirwa. Vakafa venyu vachava vapenyu, miviri yavo ichamuka. Vashakabvu vari muvhu mukai muimbe norufaro. Tinodaro nokuti dova renyu idova rine chiedza uye nyika yavashakabvu ichasununguka. Vanhu vangu, endai mupinde mumba muzarire makonhi mumbohwanda kwenguva shoma kusvikira hasha dzake dzapera. Ndinodaro nokuti Tenzi ari kuuya achibva kunzvimbo yake kuzorangira vagari vepanyika zvitadzo zvavo. Pasi pose vanhu vachareurura kuuraya vanhu kwavakaita, zvitadzo zvavo vanenge vasisavanzi. Pazuva iroro Tenzi acharanga zigaranyanya nebakatwa rake rakaoma guru rakasimba, iro zinyoka rokutiza, zigaranyanya, zinyoka rinozvongonyoka, achaurayawo zigaranyanya romugungwa. Pazuva iroro Tenzi achataura nezvemunda wake wamagirepisi achiti uimbirei muchiti, “Ini Tenzi ndini muchengeti wawo ndinoudiridzira nguva dzose. Kuitira kuti pasave naanouparadza ndinouchengetedza siku nesikati. Hasha aiwa handichisina. Dai kuri kuti pane minzwa norukato zvandinofanira kuita hondo nazvo, ndaitosimuka ndikarwisana nazvo, ndaizviti unga unga ndizvipise. Kana vachida kudzivirirwa neni ngavayanane neni.” Mune ramangwana Jakobho achadzika midzi, Isiraeri ichatumbuka igoita nhungirwa igozadza pasi pose namapudzi. Ko akamboirova here sokurova kwaakaita, vakamboirova? VaIsiraeri vakambourayiwa here sokuurayiwa kwakaitwa vakambovauraya? Makavaitira zvine mwero nokumbovaita kuti vatapwe maitira kuti vafunge akavabvisa aviruka kwazvo nehasha pazuva remhepo yokumabvazuva. Saka naizvozvo chitadzo chevokwaJakobho chichazoregererwa, izvozvi ndouchava mubayiro wokuregererwa kwechitadzo chavo. Paachaita kuti mabwe ose eatari abhwadutsirwe pasi somunyakwe somunyakwe kuti mwarara, hapana chifananidzo chokunamata chinomiririra Ashera kana atari dzorusenzi dzichasara dzimire; nokuti guta retsvingo rangosara rava roga roga somusha wakasiyiwa wakaramwiwa, serenje chairo mava kutofura zvamo mhuru ichitorara zvayo pasi ichitokwazwura zvayo mapazi aro. Kana mapazi aro anooma otyoka vakadzi vanouya vozoakuhwidzisa moto. Pamusana pokuti vanhu ivava vanhu vasina pfungwa, naizvozvo iye akavasika haazovanzwira tsitsi iye wacho akavaumba haambovaitira mwoyochena. Pamusi iwoyo kubvira kuRwizi rweYufuratesi kusvikira kuKakova keIjipiti, Tenzi achapfuura achikunongererai mumwe nomumwe imi vanhu veIsiraeri. Zvino nezuva iroro kucharidzwa zibhosvo guruguru. Vanhu vakanga vateterekera munyika yeAsiria navakanga vambodzingwa munyika yeIjipiti, vachauya kuzopfugamira Tenzi pagomo rinoera muJerusaremu. Mune nhamo imi vanozvikudza voumambo hwokwaEfuremu hwezvidhakwa hune mukurumbira waiyevedza wava kuwuna seruva riri pamusoro pebani rine ivhu rakanaka nevakararadza newaini! Chinzwai, Tenzi ane rimwe gamba rakasimba akaita sedutu rine chimvuramahwe semhepo ine simba rakawanda inoparadza sedutu rakasimba ramafashamo emvura, iyeyo acharigira izvozvo pasi, pavhu chaipo zvakaomarara. Vanozvikudza voumambo hwezvidhakwa hwokwaEfuremu, vachatsokodzerwa pasi netsoka; mukurumbira wahwo waiyevedza, uri kuwuna seruva, uri pamusoro pebani rine vhu rakanaka, uchaita seguyu rokutangisa kuibva zhizha risati rasvika rokuti munhu kana akariona anobva aridya paanongoribata chete mumaoko. Pazuva iroro, Tenzi wehondo nehondo, achava mambo ane mukurumbira nechishongo chinoyevedza kuchitsama chavanhu vake vakasara achava iye mweya woruenzaniso kune anenge agere pakutonga achavawo simba kuna vanodzora hondo pamisuwo mikuru. Kana ivava vanodzengedza newaini vachidzadzarika nahwo hwahwa vapristi navaporofita vanodzadzarika nahwo hwahwa vapazamiswa misoro newaini vachidzadzarika nahwo hwahwa vava kuvhiringika pane zvavanooneswa, vari kukanganisika pakutonga nyaya, nokuti mateburu ose azara marutsi hapana pasisina tsvina. “Iye achadzidziswa ndiani uye ndiani achatsanangurirwa shoko racho? Ndumurwa here? Kana kuti mwana achangobva achangorumurwa? Zvaari kutoita mutemo nomutemo murao nomurao mutsetse nomutsetse zvishoma nezvishoma.” Aiwa! Asi kutoti nomuromo wamabvakure, norurimi rwevanhu vechirudzi, Tenzi achataura kuvanhu vake vaakaudza kuti, “Zororo nderiri iri: zorodzai vakaneta ndokuzorora ikoku,” asi vakaramba kuteerera. Ndokusaka shoko raTenzi richizova kwavari, mutemo nomutemo, murao nomurao mutsetse nomutsetse, zvishoma nezvishoma kuti vagoenda vagoti nemanhede njaya kuwira pasi vaputsike, vateyewe vabatwe. Naizvozvo chinzwai shoko raTenzi imi vadadi, iyemi munotonga vanhu muJerusaremu, nokuti makatika imi, “Takaita chibvumirano norufu tikaita chitsidzirano neNzvimbo yeVachakabvu, panozopfuurawo shamhu yokuranga ichirakasha, haimbotisvika, nokuti isu takaita kuti kunyepa kuve ndokwatinohwanda nako, nhema dziri bako ratinohwanda.” Naizvozvo Tenzi Mwari anoti, “Chinzwai! Ndava kuisira ugaro hweZioni ibwe, ibwe rakaongororwa, ibwe rinokosha rapakona rougaro chaihwo hwakasimba: Anenge akatendeseka haazi kuzomboita zvamandikurumidze. Ndichaita kuti ruenzaniso ruve setambo yokuera nayo kururama kuri setambo yokuvakisa chimvuramabwe chichatsvaira botero ramakuhwa mvura ichakukura nzvimbo yokuvanda.” Ndopachapedzwa zvechibvumirano chenyu norufu, chitsidzirano chenyu neNzvimbo yeVachakabvu chichiparara. Kana shamhu yokuparadza yava kupfuura muchanyatsorikitwa. Nguva yose yainopfuura ichakurova ichapfuura mangwanani oga oga uye masikati nousiku. Kunzwa chete zvainoreva kuchava chinhu chinokutyisa kwazvo. Ndinodaro nokuti zvichaita somubhedha mupfupi wokuti munhu haakwanisi kutambarara pauri uye segumbeze duku zvokuti munhu haakwanisi kurifuka, uye nokuti sezvakaita Tenzi paGomo rePerazimu achasimuka uye sezvaakaita muBani reGibheoni, achashatirwa agoita zvinhu zvake, zvinhu zvake zvisina akamboona agoshanda basa rake basa rake risina akamboriona. Zvino imi zvokudada regai, majoti enyu angadaro akabva anyatsosungwa chaizvo kuti nganganga nokuti ndakanzwa ini chirevo, chirevo chokuparadza munyika mose zvamo chinobva kuna Tenzi Tenzi wehondo nehondo. Ndipeiwo nzeve, munzwe zvandiri kutaura, chimbonzwaiwo munzwe zvandiri kureva. Iye anorimira kudyara, anoramba here achingorima chete? Anoramba here achingobamura zvake ivhu nokungohara chete? Kana achinge aita kuti pamusoro pacho pati chechetere, haamwaye here mbeu dzedhiri nokudyara mbeu dzekumini, agoisamo koroni mumitsetse, nebhari panzvimbowo payowo chaipo, koroni yesipereti yakapoteredzawo kumucheto? Akadzidziswa zvakanaka nokuti Mwari wake ndiye anomuudza. Dhiri imbesa isingakwanisiki kupurwa nechirhei chokupurisa kana kuita zvokukungurutsa vhiri rengoro pambesa yekumini. Asi dhiri inotopurwa neshamhu, kumini ichipurwawo nesharapu. Pakupura, munhu angabva apwanya koroni yechingwa here? Kweteka, haarambe achingoipura chete. Paanofambisa mavhiri engoro yake pairi namabhiza ake, haabvi aibvukuchura. Izvozvi izvi zvinobvawo kuna Tenzi wehondo nehondo. Mupi wemazano anoshamisa ano ungwaru hunoshamisa. Zvichakuwana zvako Arieri, iyewe Jerusaremu guta raigara Dhavhidhi! Itaika zvenyu mazuva makuru iwayo gore negore achirundana kudaro. Asi Arieri ndichaipa nhamo, pachave nokuchema nokuungudza guta reArieri kwandiri richaita seatari yazara ropa. Ndichazokukomba mativi ose ndikupoteredze nenharire ndigovaka zvokukukomba nazvo. Ndopauchazotaura uri pasi, pasi pasi chaipo penyika, mazwi ako achabuda achibva pasi chaipo muvhu, inzwi rako richibva pasi sezwi redzimudzangara. Izwi rako richaita, kazevezeve mumhukutu. Gurusvusvu ravavengi vako richaita sehuruva, gurusvusvu revanoutsinye richiita sehundi inopfuura hayo. Nenguva isipi uchayerekana washanyirwa naTenzi wehondo nehondo nemabhanan'ana nokundengendeka kwenyika noruzha rukuru nechamupupuri nedutu nerimi romoto unororomesa. Gurusvusvu ravanhu ramarudzi ose, anorwisa guta reArieri, vose zvavo vanorirwisa vachirwisawo nhare yaro yokuzvidzivirira muhondo, vanoripa nhamo; vachaita sokunge chiroto zvacho, chiratidzo chinoonekwa usiku. Sezvinoitika kana munhu ane nzara anorota achidya ozomuka aine nzara yake, iyoyo asina kuguta, kana kuti zvinoitika kana munhu ane nyota anorota achinwa mvura anomuka akarezuka ane nyota yake isina kupera ndozvichaita gurusvusvu ravanhu vamarudzi ose vanorwisa Gomo reZioni. Zungairai muti tuzu dzimairai mupofomare. Mudhakwe, asi isiri waini inokudhakai; mudhadharike, asi husiri hwahwa hunokudhadharitsai, nokuti Tenzi akakudururirai chipo chomweya wehope dzorufu uye akazarira maziso enyu imi vaporofita, akakwidibira misoro yenyu imi vaoni. Saka chioneso chaizvozvi zvose chave semazwi ebhuku rakanamwa. Kana vanhu vakaripa kuno munhu anogona kuverenga vachimuti, “Verenga bhuku iri.” Iye anoti, “Handikwanisi, nokuti rakanamwa.” Uyewo kana voripa kuno munhu asingagoni kuverenga vachiti, “Verenga bhuku iri,” iye anoti, “Handikwanisi kuverenga.” Tenzi akati, “Pamusana pokuti vanhu ava vanongouya kuzondinamata zvapamuromo chete vachindikudza nemiromo yavo asi mwoyo yavo iri kure neni, kundiremekedza kwavo, unongova mutemo wavakadzidziswa wavakabata nomusoro chete. Naizvozvo chinzwai, ndichaita zvakare zvinoshamisa vanhu ava zvinhu zvinoshamisa zvinokatyamadza. Ungwaru hwavakachenjera vavo huchaparara. Kunzwisisa kwavanonzwisisa vavo kuchavanzwa.” Zvichakuwanai zvenyu imi munoviga kwazvo mazano enyu pana Tenzi imi vemabasa erima, muchiti, “Ndiani anozviona, ndiani angazvizive. Munovhiringidza zvinhu zvose. Muumbi ndiye anganzi ndiye mutapo here? Muumbi anganzi ndiye munyakwe here? Kana chinhu chakaitwa choti kuna akachiita, ‘Haaziriye akandigadzira.’ Chinhu chakaumbwa choti, kune akachiumba, ‘Haanzwisisi.’ ” Handiti kwangosara kanguva kadikidiki kwazvo kokuti Rebhanoni richisandurwa kuitwa munda unopa michero, munda wacho unopa michero uchizoonekwa sesango chairo handiti? Pamusi iwoyo matsi dzichanzwa mazwi omubhuku maziso amapofu ainge ari makati ndindo muzarima achaona. Vatamburi vachamutsurudzwa rufaro, vari muna Tenzi, varombo muvanhu umu, vachapembera norufaro rwavanowana muna iye Anoera waIsiraeri nokuti vanoutsinye vachaguma, vadadi vachapera, vose vanogaririra kuita zvakaipa vachatsakatiswa, vanoti kana nezwi rimwechete ravanominunutsa, voita kuti munhu atonzi apara mhaka; vanotoita zvokuteya kwazvo munhu anoraya vamwe padare rokusuo guru vanoti namazwi asina maturo munhu ane nyaya inonzwika aendeswe nyaya yake isina kutongwa. Naizvozvo Tenzi akanunura Abhurahamu, anotaura nezvemba yaJakobho achiti: “VokwaJakobho havachanyadziswa, uso hwavo hauchazomboti wuna wuna nokuti pavachatarisa vana vavo vandakaumba ini namaoko angu vari pakati pavo vachaeresa zita rangu, vachaeresa iye Anoera waJakobho vachimira vachitya Mwari waIsiraeri. Vanhu vakazungaira vachauya kuzonzwisisa, navanhu vokunyunyuta vachizobvuma kuudzwa.” Zvanzi naTenzi, “Mune nhamo imi, mhandupandu dzavanhu. Munotoita zvenyu zvamunenge maronga imi Musingaite zvangu ini. Munotoita zvenyu bangano risinei zvaro nemweya wangu muchitowedzera zvenyu chitadzo pamusoro pechimwe chitadzo. Munotopinda munzira kudzika kuIjipiti nhai musina kana kutombobvunza zvenyu zano rangu. Kundopotera kwaFarao here kuti mudzivirirwe naye nokundotsvaka zvenyu iyeyoka, dumba nomumvuri weIjipiti nhai? Naizvozvo kudzivirira kwaFarao ikoko kuchapinduka kukakunyadzisai, iye dumba nomumvuri weIjipiti opinduka ova anokunyadzisai. Chiripo ndechokuti, kunyange zvazvo makurukota enyu ava ikoko kuguta reZoani, vamiririri venyika yenyu vatosvikawo nokuguta reHanesi, munhu wose zvake achanyara navanhu vasina chavanovabatsira vasina rubatsiro kana chimuko asi kunyara nokunyadziswa.” Munotakura imi upfumi hwenyu muchipfuura nokuNegevhu kunopisa, nomo munyika yenhamo namatambudziko ine shumba hadzi nehono nenyoka dzinouturu nenyoka dzinobhururuka, makahutakudza pamisana yemadhongi uye upfumi hwenyu makahutsiga panyundhwa dzengamera muchienda nahwo kuvanhu vasina nechavanobatsira nokuti rubatsiro rweIjipiti haruna chimuko haruna kana maturo, ndokusaka ini ndaitumidza zita rokuti, “NdiRahabhu shumba isina meno.” Zvino wochienda uzvinyore pafendefa vachiona, unyore izvozvo mubhuku kuitira kuti mune ramangwana zvizova chapupu nokusingaperi pamusana pokuti imhandupandu dzavanhu vanakomana vanoreva nhema vanakomana vasinganzwe zvinorehwa naTenzi. Vanototi zvavo kuvaoni, “Zvokuona chiregai,” kuvaporofita uku vachitoti, “Zviratidzo zvamunotionera ngazvirege kuva zvechokwadi, ingotitaurirai zvenyu zvinhu zvisina kuomarara, titaurirei zvinhu pasina. Siyanai negwara iroro mutsauke panzira iyoyo tirege kuramba tichinzwa nezvaiye Anoera waIsiraeri.” Ndokusaka zvanzi naiye Anoera waIsiraeri “Pamusana pokuti imi muri kuramba shoko irori muchivimba nokuonesa vanhu ndondo nouipi muchibva mazendama chaizvo pazviri, naizvozvo uipi ihwohwu huchakupfukirai sezvinoita rusvingo rurefu rune mutswe, runofutunukira kunze, runoti kana rwokoromoka runobva rwati pakarepo pasi rikiti nenguva isipi, rune mupwanyikiro unenge wehari yomuumbi inenge yabhwadurirwa pasi zvine utsinye zvokuti hapana kazenga kayo kanowanika kwokutapisa moto kunyange kwokutekesa mvura mumugodhi wemvura,” nokuti zvanzi naTenzi Mwari, iye Anoera waIsiraeri, “Ruponeso rwenyu ruri mukudzokera kwenyu kwandiri nomukuzviisa kwenyu mumaoko mangu. Simba renyu riri mukunyarara nokuvimba neni,” asi imi munoramba asi chamunototaura ndechokuti, “Aiwa, nokuti tichamhanyisa kwazvo tiri pamabhiza,” Saizvozvo muchamhanya chaizvo. Uye munoti, “Tichati karakata kutasva pamabhiza emikono anoribiduka kumhanya,” saizvozvo mucharondwa navanomhanya chaizvo. Chiuru chenyu chichatiza munhu mumwechete Masoja mashanu chaiwo achaita kuti muti ware kutiza muchisara mangoita, sechimuti chemureza pamusoro pegomo, somureza pachikomo. Naizvozvo Tenzi anomirira kuti akuitirei zvakanaka. Naizvozvo anofarira kwazvo kukuitirai tsitsi nokuti Tenzi ndiMwari woruenzaniso. Vakakomborerwa zvavo vose vanomumirira. Hongu, imi vanhu veZioni munogara muJerusaremu hamuchazombochemazve. Achanyatsokuitirai nyasha paanonzwa kuchema kwenyu, paanongokunzwai achakupindurai. Kunyange zvazvo Tenzi achikuitai kuti zvimhingamupinyi zvive chokudya chenyu nhamo iri mvura yenyu yokunwa, Mudzidzisi wenyu haachazvivanzi kwamuri. Asi kuti imi nameso enyu muchatoona Mudzidzisi wenyu uye kuti pamunenge mava kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe muchatonzwa inzwi munzeve dzenyu richiti, “Nzira ndeyiyi itevedzei iyoyo.” Muchaona sezvinhu zvakan'ora zvifananidzo zvokunamata zvakanamirirwa nesirivha yako nezvifananidzo zvokunamata zvoutare hwakanyungurutswa zvakanamirirwa nendarama yako. Muchazvirasa serengenya rine tsvina muchiti, “Ngazvitibvire.” Achapa mvura yokuti mudyarise mbeu dzenyu. Mbesa dzinobva muvhu imomo dzichange dzakawanda dzakakora. Panguva iyoyo mombe dzenyu dzichafura mumafuro akakura. Nzombe dzenyu namadhongi okurimisa dzichadya zvokudya zvakaiswa munyu hwakasandurudzwa nefoshoro neforogo. Pamakomo ose marefu nomuzvikomo zvose zvakareba muchave notukova tune mvura inoerera pamusi ucharakashwa vanhu kuuraya pachapunzika nharire. Chiedza chomwedzi chichaita sechiedza chezuva uye chiedza chezuva chinenge chakapetwa kanomwe sokunge chamazuva manomwe pazuva iroro Tenzi paachasunga makatyoka vanhu vake achiporesa maronda avakakuvadzwa nokurohwa. Chinzwai munzwe, Tenzi anouya muzita rake achibva kure kure akaviruka nehasha dzake ari muutsi hwakati kwirindindi huri kutogoka mudenga nomuromo wake ari kutaura ari kutaura azere nehasha, rurimi rwake ruchinge moto unopisa kufema kwake kuchiita sorukova rwuzere runosvika mumutsipa kuti azungure marudzi avanhu norusero rwokuparadza nokuzoisa pashaya dzendudzi dzavanhu matomho okuvateteresa mutome. Muchaimba rwiyo serwousiku hunochengetwa zuva guru rinoera muchifara mumwoyo umu sezvinoita munhu anopinda munzira aine mumhanzi wenyere achikwira kugomo raTenzi kuna iye Bako raIsiraeri Tenzi achaita kuti vanhu vanzwe izwi rake roukuru achaitawo kuti shamhu yoruoko rwake ionekwe inenge yatozomoka kuzorova nehasha dzinotyisa nerimi romoto unororomesa uine gore raita zvokuwodzvoka kunaya nedutu nemhepo huru ine simba rechimvuramabwe. VechiAsiria vachatya kwazvo vachinzwa izwi raTenzi paanovarova netsvimbo yake. Shamhu yose yose yokuranga yavanorohwa naTenzi, inenge ichipembererwa nomumhanzi wengoma nezvipendani; achiita hondo, muruoko shamhu achiivheyesa mudenga achirwisana navo nokuti nzvimbo yokupisira yakatogadzirirwa kare yokuitira mambo iyeyu, yakatogadzirirwa kare. Gomba rayo rakaitwa rakadzika uye rakafutunurwa kwazvo pamwechete nemoto nehuni zvakawanda, femo raTenzi rinoita sekakova kedombo regwenya ndorinoritungidza moto. Vane nhamo vanhu vanodzika kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro vachivimba namabhiza, vanovimba nengoro dzehondo pamusana pokuwanda kwadzo, vanovimba navarwi vamabhiza pamusana pokuti vakasimba kwazvo asi vasingatarisi kuna iye Anoera weIsiraeri kana kubvunza Tenzi. Asi ariye ane ungwaru, ariiye anounza nhamo anoti raareva ndiroro asingasanduke. Achamukira imba yevaiti vezvakaipa achirwisa vabatsiri vevanoita zvakaipa. VaIjipiti vanhu, havasi Mwari uye mabhiza avo ndinyama, haasiri mweya. Tenzi akatambanudza ruoko rwake mubatsiri iye achatatarika iye anobatsirwawo wacho achaputsika vagoparara pamwechete; nokuti Tenzi akanditi, “Sezvinoita shumba kana kuti shumba ichiri kuzvinzwa inohon'era mhuka yayabata kana vafudzi vakokerwa kurwisa haityisidzirwe nokuzhamba kwavo kana kuvhundutswa noruzha rwavo. Ndizvozvowo zvichaitwa naTenzi wehondo nehondo, achaburukira paGomo reZioni kuzorwisa pachikomo charo. Sezvinoita shiri kudzengerera mudenga, ndizvowo zvichaita Tenzi wehondo nehondo achidzivirira Jerusaremu, acharidzivirira achirinunura achirichengetedza achiriponesa.” “Imi vanhu veIsiraeri pindukirai kuna iye wamakapandukira zvisingatauriki nokuti nezuva iroro munhu wose acharasa zvifananidzo zvake zvokunamata zvesirivha nezvifananidzo zvenyu zvokunamata zvendarama zvamakatadzira Mwari nazvo muchizviumbira imi namaoko enyu. “VaAsiria vachaparadzwa nebakatwa asi risiri bakatwa romunhu richavaparadza, vachatiza bakatwa majaya avo agoiswa kubasa rechibharo. Iye dombo ravo achapfuura achitya vakuru vakuru vavo vomuhondo vachapomoka mureza nokutya,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi ane moto uri muZioni ane vira romoto muJerusaremu. Chinzwai, kana mambo ava kutonga noururami makurukota ava kutonga noruenzaniso, mumwe nomumwe wavo anenge ave senzvimbo yokuvanda mhepo senzvimbo yokuhwanda dutu setukova twemvura munzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo mukuru munyika yakaoma. Maziso avanofanira kuti vatarise zvinhu haazotsinzinya nenzeve dzavanofanira kunzwa dzichateerera. Vane pfungwa yokuti zvose ndezvechimbichimbi vachava nourongwa hwakanaka, vanokakama vachataura vasingazezi, uye zvinonzwika. Rema romunhu harizonzi munhu anofanira kuremekedzwa kana kuti kanyimiramundiro onzi mupanegombe. Rema romunhu rinotaura zvenhema pfungwa dzaro dziri pakuronga kuita zvakaipa napakuita zvisingadiwe naMwari richitaura zvisiri izvo pamusoro paTenzi. Ane nzara anomuregera nenzara yavo vane nyota nenyota yake. Zvinoitwa navanoudyire zvakashata vanoronga mazano akaipa kuti varozve varombo nenhema dzavanotaura vachitadzisa vanotambura kuwana zvinhu zvavane mvumo yokuti vawane. Asi munhu kwaye anoitawo zvinhu nomazvo zvinhu zviri pachokwadi ndozvaanomira nazvo. Simukai imi vakadzi makagarika, izwai izwi rangu imi vanasikana imi munozviti ndisu pano chimbonzwai zvandiri kutaura. Mushure menguva ndikindiki inongoti pfuurei gore, muchazvishayira pazvo, iyemi vakadzi munozviti ndisu pano nokuti zvokusvina waini panenge pasisina uye zvokukohwa, panenge pasisina. Dederai imi vakadzi makagarika, hutai iyemi munozviti ndisu pano. Pfekenurai musare musina chamakapfeka musungire muchiuno mitikisha yamasaga. Batai gotsi mucheme, minda yakanakisa yemiti yemigirepisi inobereka muchero mucheme ivhu ravanhu vangu mava kungokura zvamo mumunzwa norukato, ehe! Mucheme dzimba dzose dzemafaro dzomuguta remafaro nokuti muzinda wamambo uchazongosara wakadaro guta ranga rizere navanhu richasara risisina vanhu chikomo nenharire pokutaririra zvichava matanga narini wose anofarirwa nemadhongi omusango mokufura zvamo zvipfuwo. Kusvikira Mweya wadururirwa kwatiri uchibva kudenga renje rava munda unobereka zvirimwa munda wembeswa rave sango zvaro. Ipapo ruenzaniso ruchawanika kunyange nokurenje ururami huchiwanika kunyange nomumunda unobereka zvirimwa. Rugare ndoruchava muchero wokururama ikoko muchero wokururama ikoko uchava runyararo nokuvimbika nokusingaperi. Vanhu vangu vachagara mumisha ine rugare mudzimba dzisina njodzi dzokuzororera dzine runyararo. Sango richanyatsoparara guta richanyatsonzi pasi mbombombo. Makakomborerwa zvenyu imi munodyara pose pane mvura munogona zvenyu kuita mombe namadhongi enyu zvokutosaidzira. Zvichakuwana iwe muparadzi, iwe usina kumboparadzwa iwe woujarijari usina ani akambokuitirawo ujarijari! Paunongomira chete kuparadza unobva waparadzwa, paunongogumisa kuita ujarijari, unobva waitirwa ujarijari. Tenzi, tinzwireiwo nyasha tinotarisira kwamuri Ivai simba redu mangwanani oga oga, mutiponesewo panguva yokutambudzika. Pamusana pemaungira ebongozozo, ndudzi dzavanhu dzichiti ware kutiza pamunosumuka imi, marudzi avanhu anoita chimwanda-mwanda. Vachaunganidza zvokupamba sokuunganidzwa kunoitwa hwiza vanhu vachichirikira pazviri sokumomotera kunoita mhashu. Tenzi anokudzwa nokuti anogara kumusoro achazadza Zioni noruenzaniso noururami. Zvinodiwa zvacho achaita kuti zvivepo zvinoti: ruponeso rwakawanda noungwaru noruzivo, kutya Tenzi ndiko kunenge kuri upfumi hwake. Chionai, magamba anochema kunze uku, vamiririri vorugare vachihwihwidza zvinosiririsa kwazvo. Migwagwa mikuru yangove migwagwa zvayo isina anoshandisa. Vanhu venzira hapasisina. Zvibvumirano zviri kutyorwa vokupa umboo vachizvidzwa, munhu haachaonekwa somunhu. Nyika iri kugurukuta ichiondongoka Rebhanoni yapazamiswa musoro nazvo, yasvava; Sharoni yava kunge gwenga zvaro, uye Bhashani neKarimero dzasasamuka mashizha adzo. Zvanzi naTenzi, “Zvino ndava kusimuka, zvino ndava kunyatsoti kwaku kusimuka pari zvino ndiremekedzwe. Zvirongwa zvenyu marara chete zvamunoburamo magufu, kufemeruka kwenyu ndomoto uchakuroromesai. Ndudzi dzavanhu dzichaita sedzapiswa kuita rota seminzwa yatemerwa pasi ikapiswa mumoto.” Chinzwai munzwe zvandakaita imi muri kure uko nemi muri padyo muzive simba rangu. Vatadzi muZioni umu vava kutya. Vasingatyi Mwari hedzo mbwende kudedera dzichiti: “Ndiani chaizvo pakati pedu angagone kugara mumoto unororomesa? Ndiani chaizvo pakati pedu angakwanise kugara mukutsva kusingaperi?” Munhu anofamba noururami achitaura zvakarurama, anosema upfumi hunowanikwa nokuonesa vanhu ndondo, anozunza maoko ake kuti arege kubata pfumbamuromo, anodzivira nzeve kuti arege kunzwa zvokudeura ropa, anozarira maziso ake kuti arege kutarisa zvinhu zvakaipa. Iyeyo achagara makakwirira nyare yake yokuzvidzivirira ichange iri tsvingo dzamabwe achiwaniswa chokudya chake, mvura yake yokunwa isingamboshayika. Maziso ako achaona kuyevedza kwamambo, achaona nyika yakatandira nokoko. Mumwoyo mako ucharangarira nezvaityisa uchitoti “Aripiko wokuverenga uya, aripiko uya aiera kurema kwomutero? Aripiko wokuverenga nharire uya?” Vanhu vaye vokutsvinya hauchazovaonizve vane mutauro wakavandika usinganzwisisike vanokakama vanorurimi rusinganzwisisike. Tarisa uoneka guta reZioni guta remazuva edu makuru akatemwa unobva waonawo Jerusaremu musha worunyararo, musha wepfirapo dzamatendhe ane hoko dzisingambofa dzakadzurwa, asina kana tambo zvayo inodimuka. Imomo Tenzi acharatidza simba rake pamusana pedu, inenge iri nzvimbo ine hova nenzizi dzakapamhama, kusina ngarava dzokurwisa nadzo dzine mikwasvo dzinofamba nomo kana ngarava huru, dzinopfuura nomo; nokuti Tenzi ndiye mutongi wedu, Tenzi ndiye anotipa mutemo, Tenzi ndiye mambo wedu ndiye achatinunura. Tambo dzoko dzadembera hadzichakwanisi kusimbisa bango rengarava bango rengarava panzvimbo paro kana kuti tendhe rokufambisa ngarava nemhepo rirambe rakatambanuka. Ipapo vanhu vachagovana zvavo zvinhu zvizhinji zvokupamba nezvavanowana muhondo kunyange vakaremara vachatotorawo zvinowanikwa muhondo. Hapana mugari wemo achati, “Ndiri kurwara.” Vanhu vanogara imomo vacharegererwa uipi hwavo. Swederai padyo imi marudzi avanhu muzonzwa, tererai munzwe imi ndudzi dzavanhu. Nyika ngaiteerere nezvose zviri mairi naipo pasi pose nezvinhu zvose zvazvo zvinobva mairi, nokuti Tenzi avirukira nehasha marudzi ose avanhu ashatirirwa vose zvavo nouwandi hwavo kudaro avatemera kuparadzwa avatemera kuti vakatakazhwe kuurayiwa. Zvitunha zvavo zvichanzi hupukupu kuraswa kunze, zvitunha zvavo zvichaita gutukutu kunhuwa. Makomo achayerera ropa ravo. Gurusvusvu rezvomudenga richaora, matenga omonwa sebhuku rokumononora gurusvusvu razvo zvose richidonha samashizha anosasamuka mumugirepisi samashizha ari kusasamuka mumukuyu. Chikonzero ndechokuti bakatwa rangu ranwa rikaguta nezvokumatenga, hero, rava kuburuka kuzoranga Edhomu pavanhu vandatemera kuparadzwa. Tenzi ane bakatwa bakatwa racho rizere ropa rakanunirira namafuta neropa rehwayana nerembudzi namafuta etsvo dzehondohwe nokuti Tenzi ane chibayiro kuBhozira kukatakazhwa chaiko kwavanhu munyika yeEdhomu. Vacharigirwa pasi pamwechete nenyati nezvigondora zvenzombe uye nehandira dzakasimba. Nyika yavo ichanyata neropa ivhu ravo rakoreswa namafuta nokuti Tenzi ane zuva rake rokutsividza gore rokudzosera achitsividzira Zioni. Hova dzeEdhomu dzichasandurwa dzikasviba setara ivhu ravo richaita somoto wesarufa nyika yavo ichava setara iri kutsva siku nesikati isina anogona kudzima utsi hwayo huchatogoka mudenga nokusingaperi. Ichagara chizvarwa nechizvarwa isina anoishandisa hapana anenge achipfuura nemo kudzamara narini wose. Asi inenge yatova zvayo mumaoko morukodzi nenungu, nezizi negunguo zvotogara zvazvo imomo. Achakaka tambo yemanyongori pamusoro payo, nokuimutsira nyonganyonga inorema sekasimbi kokukakisa nako tambo yokuvakisa. Vachazoitumidza zita rokuti “Kasinaumamboikoko” machinda ayo achange ari vanhu pasina. Minzwa ichakura zvayo munhare dzayo dzokuzvidzivira muhondo nadzo, uye unye namakwenzi eminzwa mumaguta ayo etsvingo. Ichange yava dambiro ramakava nomusha wemhou. Mhuka dzesango dzichasangana namapere, madzimudzangara achidaidzirana namamwe awo madzangaradzimu. Ehe, imomo ndomuchapindwa nomweya werima uchizviwanira pokuzororera. Zizi richazvivakira zvaro dendere imomo nokutokandira zvaro mazai richizoachochonya nokutozovhumbamirawo vana varo mumumvuri waro. Ehe, njerere dzichaunganidzana imomo dziri mbiri mbiri, jongwe nesheshe yaro. Zvitsvakei izvozvi muchazviverenga muBhuku raTenzi, hakuna nechimwe chaizvozvi izvi chichazenge chisimo zvose zvichange zviri chikono nechikadzi nokuti ndizvo zvatemwa nomuromo waTenzi Mweya wake ndouchazviunganidza. Chimwe nechimwe akachipa mugove wacho akazvitarira mutsetse noruoko rwake achizvigovanisa uchava mugove wazvo narini wose. Zvichagara imomo kwezvizvarwa nezvizvarwa. Renje richafara nyika yakaoma ichafara gwenga richamwekuma nokufara, rachiti kakaka maruva kutumbuka somunhundurwa. Richanyatsoti namaruva akawanda tsvete rigopembera nokufara nokuimba, richapiwa mbiri yeRebhanoni nokuyevedza kwakaita sekweKarimeru nekweSharoni. Vachaona mbiri yaTenzi nomukurumbira waMwari wedu. Simbisai maoko akaregedzera musimbise mabvi akarengwendeka. Itii kune vane mwoyo unotya, “Simbai mwoyo, regai kutya. Tarirai muone, Mwari wenyu ari kuuya kuzotsividza nokutsividza kwaMwari, achizogadziridza zvamakakanganisirwa, achauya okununurai.” Maziso amapofu achasvinudzwa, nzeve dzamatsi dzichivhurwa. Ipapo mheta makumbo dzichachirika semhene, rurimi rwechimumumu ruchaimba norufaro nokuti murenje muchaita mafashamo emvura, mugwenga muchaita tukova twemvura. Mujecha munopisa muchava madziva, ivhu rine nyota richiva zvitubu zvemvura. Paimbova dambiro ramakava pachava jahwi rine uswa netsanga nenhokwe. Imomo muchava nomugwagwa mukuru uchanzi, “Mugwagwa Unoera.” Vakan'ora havafambi nawo. Hakuna benzi richafamba nawo kundorasisa vanenge vatsaukira kwairi. Kunyange mapenzi avanhu chaiwo haamborasika zvawo imomo. Muchange musina shumba imomo kana chikara chinorura chinotsikamo hazvisi kuzowanikwa imomo. Asi vakanunurwa ndovachafamba zvavo naimomo, vakaponeswa ivavo vaTenzi, vachadzokera vagouya kuZioni vachiimba, pamusoro apa, vakadzika sendaza rufaro runogara narini wose Vachawana kupembera nokufara, kusuwa nokudemba zvichati ware kutiza. Mugore regumi nechina rokutonga kwamambo Hezekiya, Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa maguta ose okwaJudha akanga akavakirirwa netsvingo akaakurira. Mambo weAsiria akatuma mutariri mukuru wezvomumuzinda make nehondo huru kubva kuRakishi kuna mambo Hezekiya kuJerusaremu. Akasvikomira padyo nomugero wokudziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokuMunda woMusuki waMachira. Kwakabuda Eriyakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda nasamunyori mukuru, Shebhuna nomunyori Joa mwanakomana waAsafu. Mutariri mukuru uya wezvomumuzinda akati kwavari, “Itii kuna Hezekiya, zvanzi namambo mukuru mambo weAsiria, ‘Unovimba neiko?’ Ndiri kuti iko kutaura pamuromo apa ndiko kuronga hondo here ikoko kana kuti ndiro simba rokurwa hondo iroro? Ndiani wawava kuvimba naye zvawava kutondipandukira kudai? Zvino, chinzwa, uri kuvimba neIjipiti norutsanga zvarwo urwo rwakatyoka, runobaya muchanza munhu anenge ada kuti agamwe narwo. Ndozvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye. “Asi kana zvako ukati kwandiri, ‘Tinovimba naTenzi. Mwari wedu,’ haasi ndiye here ane nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira neatari dzacho dzakabviswa naHezekiya achitaurira Judha neJerusaremu kuti, ‘Munofanira kunamata muri paatari iyi.’ Zvino mochipikirana natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupe mabhiza zviuru zviviri. Pakopo ungaawanirewo vachayiri here? Kunyange akava mukuru mukuru wehondo pakati pamakurokota okupedzisira chaiwo atenzi wangu ungabva wafemera kumumhanyisa iwe, iwe uchidaro kutovimba neIjipiti kuti uwane ngoro dzehondo navachairi. Uyewo kuuya kwandaita kuzorwisa ndichiparadza nyika ino, ndangouyawo here zvisina Tenzi mukati? Tenzi ndiye akanditi, ‘Vinga nyika iyoyi uiparadze.’ ” Eriakimu naShebhuna naJoa vakati kumutariri wezvomumuzinda, “Dai mukataura zvenyu kwatiri isu varanda venyu nechiSiria nokuti tinochinzwa. Regai zvenyu kutaura nesu nechiJudha vanhu vari parusvingo apo vachinzwa.” Asi mutariri mukuru wezvomumuzinda akati, “Munoti tenzi wangu andituma kuzotaura izvozvi kuna tenzi wenyu nokwamuri nhai ndichirega kutaurirawo izvozvi varume vagere parusvingo apo vapinda nyatwa pamwechete nemi yokudya ndove yavo nemvura yavo?” Mutariri mukuru wezvomumuzinda ndopaakasimuka kwazvo oshevedzera chaizvo muchiJudha achiti, “Tererai munzwe mashoko amambo mukuru, mambo weAsiria. Zvanzi namambo, ‘Regai kunyengedzwa naHezekiya nokuti haakwanisi kukununurai. Musarege Hezekiya achikutii muvimbe naTenzi achiti Tenzi anonyatsokununurai uye kuti guta rino harimboiswa mumaoko amambo wavaAsiria.’ “Musateerere Hezekia nokuti zvanzi namambo weAsiria ngatinzwananei mubude kuno kwandiri. Mukadaro mumwe nomumwe achadya zvake muchero womugirepisi wake, munhu wose achidya zvake michero yomuonde wake, munhu wose achinwa mvura yomutsime rake, kusvikira ndauya kuzokutorai ndoenda nemi kunyika yakangoita senyika yenyu iyi. “Nyika yembesanwa newaini nyika yechingwa neminda yemagirepisi. Chenjererai. Hezekiya uyu angadaro akakufurirai achiti, ‘Tenzi achatinunura.’ Pamarudzi ose, pana mwari here akanunura nyika yake mumaoko amambo weAsiria? ‘Ko vamwari vokuHamati nokuAripadhi varipi?’ Ko vamwari vokuSefarivhaimu varipiko? Vakanunura Samaria mumaoko mangu here? Pakati pavamwari vose venyika idzodzo ndivanaani vakanunura nyika dzavo mumaoko mangu zvingazonzi Tenzi achanunura Jerusaremu mumaoko angu?” Asi vanhu vakati mwiro kunyarara vakarega nokumupindura kwose nokuti chirevo chamambo chaiti, “Regai kumupindura.” Ipapo Eriyakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda naShebhuna samunyori mukuru nomunyori Joa mwanakomana waAsafu vakaenda kuna Hezekiya vabvarura hanzu. Vakamusvitsa zvakanga zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda. Pazvakasvika munzeve dzamambo, Hezekiya akabvarura hanzu dzake akapfeka masaga, akapinda mumba yaTenzi. Akabva atuma Eriyakimu mukuru mukuru womumuzinda wake naShebhuna samunyori mukuru navakuru vakuru vavapristi kumuporofita vakapfeka masaga Isaya mwanakomana waAmozi. Vakandomuti, “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi uno izuva rokusuruvara, zuva rokutsiurwa, zuva rokufumurwa, nokuti nguva yokuti vana vachiberekwa yasvika, asi simba rokuvasununguka hapasisina. Zvingangoita kuti Tenzi, Mwari wenyu anzwa zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda uya atumwa natenzi wake mambo weAsiria kuzonyomba Mwari mupenyu; iye Tenzi Mwari wenyu angadaro akatsiudza zvaanzwa zvacho. Naizvozvo dai mukanamatirawo chitsama chavanhu chasara.’ ” Pakasvika makurukota amambo Hezekiya kuna Isaya, Isaya akati kwavari, “Endai mundotaurira tenzi wenyu kuti zvanzi naTenzi, ‘Usatye zvako pamusana pamashoko awanzwa kumakurukota amambo weAsiria okundinyomba. Chiripo ndechichi ichi, ndichapinza mweya maari wokuti achangonzwa runyerekupe rwamarehwarehwa agopishinuka kudzokera kunyika kwake kwandichandomupinza murufu rwokuurayiwa nebakatwa munyika make imomo.’ ” Mutariri mukuru wezvomumuzinda uya akadzokera nokuti akanga anzwa kuti mambo weAsiria abva kuRakishi akatomuwana achirwisana neRibhuna. Mambo weAsiria paakanzwa nezvaTirihaka mambo weItiopia akanga ari munzira kuuya kuzomurwisa, akatumazve nhume kuna Hezekiya achiti, “Endai mundoti kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvanzi, ‘Usanyengedzwe naTenzi waunovimba naye achiti, Jerusaremu harichaiswa mumaoko mamambo weAsiriya. Tarisa uone, iwe wakangozvinzwirawo woga zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose zvokunyatsodziparadza chaizvo. Ko iwe ndopaunganunurwe here? Ko vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzibaba angu idzi dzinoti: dzokuGozani nokuHarani neRezevhu navanhu vokuEdheni vaiva kuTeresari, vamwari vadzo vakadzinunura here? Ko mambo weHamati aripi zvino? Ko mambo weAripadhi? Ko mambo weguta reSefarivhaimu? Ko mambo weHena namambo weIvha varipi?’ ” Hezekiya akagamuchira tsamba iyoyo mumaoko enhumwa dziya akaverenga akaenda nayo kumba yaTenzi ndokundoiti ware ware pana Tenzi. Hezekiya akanamata kuna Tenzi achiti, “Tenzi, wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, imi mugere pamusoro pamakerubhu. Imi moga ndimi Mwari wenyika dzose dzapasi pano pose. Ndimi makasika denga napasi. Rerekai nzeve yenyu Tenzi munzwe. Zazurai meso enyu Tenzi muone, munzwe mashoko aSenakeribhu aatumira kuzonyomba nawo Mwari mupenyu. Ichokwadi Tenzi kuti madzimambo eAsiria akaparadza marudzi ose nenyika dzawo. Akapisa vamwari vavo nomoto. Akadaro, hongu, nokuti vakanga vasiri Mwari asi kuti zvaingova zvinhu zvakagadzirwa namaoko avanhu, miti zvayo namatombo. Ndokusaka akazviparadza. Zvino Tenzi, Mwari wedu tinunureiwo mumaoko make, nyika dzose dzapasi pano dzizive kuti imi Tenzi ndimi moga Mwari.” Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekiya rokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Pamusana pokuti wanamata kwandiri nezvaSenakeribhu mambo weAsiria.’ ” Zvataurwa naTenzi nezvake ndezvizvi: “Iri kukushora inokuzvidza mhandara yeZioni. Ari kutozunguza zvake musoro shure kwako mukunda weJerusaremu. “Wawanyomba ukatuka ipapa ndiani? Wauri kuzhambira ipapa ndiani chaizvozvo? Waunodzvondorera maziso kuzvikudza kudaro ndiani? Wauri kudaro ndiyeni Mutsvene weIsiraeri navaranda vako uchitonyombaka Tenzi iwe. Uchitoti zvako: ‘Negurusvusvu rangu rengoro dzehondo, ndakakwira makomo ini kusvika pamusoro, nadzo ndikasvika kwakaperera Rebhanoni, miti yeko yakarebesesa yemisidhari ndikairizhanisa, miti yeko yemisaipurasi yakanakisisa ndikaitema, ndikaenda ini pamusoro pacho chaipo, chaimo mumasango ayo matema; ndikatocheramo matsime ndikanwa ini mvura. Ndakatsika ini netsoka yangu tukova twose tweIjipiti twukaoma kuti gwa.’ Zvaive mumwoyo mangu kwenguva ndefu hazvisati zvakusvika munzeve nhai, zvandakaronga kare kare pasichigare, zvandava kutozoita iye nhasi zvokuti maguta ane tsvingo uaite mirwi yamatongo? Vagari vemo vachiti rukutu kupera simba, vakangaidzwa vazvishaira pazvo vaita sezvinhu zvinomera musango soruswiswi, souswa hunomera padenga remba hunoshauruka kuoma husati hwambokura. Mugariro wako ndinouziva kwaunofamba ndinokuziva twaunobata ndinotuziva kunyange kundipunyairira kwako nehasha ndinokuziva nokuti uri kundipunyairira nehasha iwe, kuzvitutumadza kwako kwasvika munzeve dzangu. Ndichaisa chikochekero changu pamhuno dzako ndichakuisa matomhu mukanwa ndikupishunutsire nokwakare kunzira kwawakauya nako kuno. Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, nakauno zvamuchadya zvichamera zvoga, gore ramakei zvichava zvamahoko, mugore rechitatu muchadyara mukatokohwa, muchatosima zvenyu minda yemagirepisi, mukatodyawo zvenyu michero yayo. Chitsama chavanhu vokwaJudha chichasara chichadzika midzi pasi, mudenga chichibereka michero nokuti chitsama chinosara chichabuda muJerusaremu chikwata chavanopunyuka rufu chichabuda mugomo reZioni. Shungu dzina Tenzi wehondo nehondo ndidzo dzichaita izvozvi. Naizvozvo panyaya yamambo weAsiria uyu zvanzi naTenzi; ‘Haambopinda muguta rino kana museve, haamborikanda. Hapana nhoo yaanomborivheyesera, kana kuriumbira nevhu kurusvingo chimusana chenzou kuita pokupindamo napo. Nzira yaakauya nayo yacho ndiyo yaachadzokera nayo. Kupinda muguta rino haambomupinda ndiTenzi anodaro kutaura. Ndichadzivirira guta rino ndigoriponesa. Izvozvo ndichiitira iyeni pachangu uye pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.’ ” Mutumwa waTenzi akaenda akauraya vanhu zana rezviuru rine zviuru makumi masere nezvishanu. Pakafumomuka vanhu mangwanani, onei ivava vose zvangova zvitunha. Senakeribhu mambo weAsiria ndokusimuka oenda kumusha akandogara muNinevhe. Zvino akati achinamata ari mumba maNisiroki mwari wake, vanakomana vake, Adhiramereki naSharezeru vakamuuraya nebakatwa vakatizira kunyika yeArarati. Mwanakomana wake Esarihadhoni ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa, zvoupenyu kwamuri hapasisina.” Ipapo Hezekiya akatendeukira kumadziro ndokunamata kuna Tenzi achiti, “Ndakutetererai zvangu Tenzi! Dai mangoyeukawo waro kuwadzana kwandakaita nemi mumafambiro angu ndakatendeseka nomwoyo wose ndichiita zvakarurama zvamunoda.” Hezekiya akaungudza achichema zvikuru kwazvo, ndokubva izwi raTenzi rauya kuna Isaya richiti, “Enda kuna Hezekiya undoti, zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wako Dhavhidhi, ndanzwa munamato wako ndikaona misodzi yako. Chiteerera unzwe, ndichawedzera upenyu hwako namakore gumi namashanu. Ndichanunura iwe neguta iro rino iri mumaoko mamambo weAsiria. Ndichadzivirira guta rino iri.” “Chiratidzo chamunoitirwa naTenzi chamuchaziva nacho kuti Tenzi achaita zvaakuvimbisai ndechichi. Chinzwa, ndichaitisa kuti mumvuri wechiringazuva chiya chakavakwa naAhazi udzokere shure nhano gumi zuva rorereka.” Saizvozvowo zuva rakadzokera shure nhano gumi pachiringazuva chacho dzarakanga rambofamba. Zvakanyorwa naHezekiya mambo wokwaJudha mushure mokunge amborwara apora paurwere hwake ndezvizvi: Ndakazviti, inga ndava kupfuura ini ndichiri kuzvinzwa kudai. Changu ini chandatemerwawo zvangu chava chokundozaririrwa munzvimbo yavachakabvu upenyu hwangu hwose. Ndakazviti, handichazoona Tenzi, Tenzi, ndiri munyika yavapenyu. Ziso rangu harichazoona munhu zvakare ndiri mukati mavanhu vayo nyika. Musasa wandiri wapazwa ukabviswa pandiri setendhe yomufudzi. Upenyu hwangu hwapetwa-petwa sezvinoita muruki akandidimura kubva pachirukiso kubvira kwachena kusvikira usiku munondipedzisa. Ndinochemera rubatsiro kusvikira kuedze. Anondityora mapfupa angu ose sezvinoita mhondoro kubvira kwachena kusvikira usiku. Sekanyenganyenga kana kuti senhapata ndinorira, ndinowuwura senjiva. Maziso angu aneta kutarisa mudenga. Tenzi, ndaona nhamo ini, ivai imi wokundichengeta! Asi chandingataurewo chii nokuti iye ndiye ataura kwandiri, uye iye pachake ndiye azviita. Ndichananavara kufamba upenyu hwangu hwose, zvichikonzerwa nokushungurudzwa mwoyo kwandiri kuita. Tenzi, wandichararamira ndimi, mweya wangu unoraramira imi moga. Ndiporesei mundiraramise. Ehe, kushungurudzwa kwazvo mwoyo kwandanga ndinako, kwanga kuri kuti zvindinakirewo paupenyu. Asi pamusana porudo rwenyu makandiraramisa mugomba rokuparadzwa nokuti makakanda zvitadzo zvangu zvose shure kwenyu. Chandinodariro ndechokuti, nzvimbo yavachakabvu haikutendei, rufu harukurumbidzei, vanoenda kugomba havangakwanise kuva nechitarisiro chokutendeka kwenyu. Mupenyu, mupenyu chete ndiye anokutendai sezvandiri kuita nhasi uno. Madzibaba vanotaurira vana vavo nezvokutendeseka kwenyu. Tenzi akandinunura nezvo tichiridza zvokuimbisa mazuva ose oupenyu hwedu pamba yaTenzi. Ipapo Isaya akanga ati, ngavatore chambwa chemakuyu vachinamire pamota kuti ipore. Hezekia akanga atobvunzawo kuti, “Chiratidzo chokuti ndichazoenda kuimba yaTenzi ndechipiko?” Panguva iyoyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira nhume netsamba nechipo kuna Hezekiya nokuti akanga anzwa kuti Hezekiya akanga amborwara akaita nani. Hezekiya akavagamuchira zvake akavaratidza dzimba dzake dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda hunoti sirivha nendarama netwokubikisa tunonhuwirira namafuta anokosha nezvombo zvake zvehondo nezvose zvaiva mudzimba dzake dzokuchengetera zvinhu. Hezekiya hapana chaakasiya kuvaratidza chaiva mumuzinda make kana zvose zvoumambo. Muporofita Isaya akaenda kuna Hezekiya akati kwaari, “Ko shoko rauya navarume ava ndereyi? Vakakubvira nepi?” Hezekiya akati, “Vauya kwandiri vachibva kunyika iri kure kwazvo kuBhabhironi.” Iye akati, “Chiiko chavaona mumuzinda menyu?” Hezekiya akapindura achiti, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chandasiya kuvaratidza mudzimba dzangu dzokuchengetera zvinhu.” Isaya ndokuti kuna Hezekiya, “Chiteererai munzwe zvarehwa naTenzi wehondo nehondo. Kuchasvika mazuva okuti zvose zviri mumuzinda menyu nezvakachengetwa namadzibaba enyu kusvikira pari nhasi zvitutwe kuendwa nazvo kuBhabhironi pasina chinozosara, ndiTenzi anodaro kutaura. Vamwe vana venyu vakomana vamakabereka vachatapwa vakasvikogadzirwa kuitwa vayuniki mumuzinda wamambo weBhabhironi.” Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raTenzi rawataura ishoko rakanaka, nokuti chero kuine rugare nokugadzikana kwezvinhu mumazuva angu.” “Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu” ndizvo zviri kutaura Mwari wenyu, “Taurirai Jerusaremu mazwi anonyaradza mwoyo, muparidze Jerusaremu kuti nguva yenyu yehondo yapera uye kuti mhosva yenyu yaregererwa uyewo kuti makatogamuchira kare kakapetwa kaviri chirango cheshamhu yaTenzi chezvitadzo zvenyu zvose.” Izwi rinodaidzira richiti, “Gadzirai murenje mugwagwa waTenzi, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa mukuru mugwenga. Mapani ose ngaafushirwe, makomo ose nezvikomo ngazviparadzirwe zviti pasi sandarara. Panenge pasina kuenzana panyatsonzi chechetere, pana magadhi magadhi panyatsoti ware ware. Mbiri yaTenzi ichaburitswa pachena, vanhu vose vachaiona pamwechete, nokuti Tenzi anozvitaura nomromo wake.” Izwi rakati, “Daidzira!” Ini ndikati, “Ndodaidzira kuti kuti?” Iti, “Vanhu vose zvavo uswa norunako rwavo rwakaita seruva zvaro resango. Uswa hunouna, ruva rinosvava pazvinongorohwa nemhepo inofuridzwa naTenzi kwazviri, chokwadika vanhu uswa zvahwo. Uswa hunouna, ruva rinosvava asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.” Kwira pamusoro pegomo refu iwe Zioni muparidzi wamashoko akanaka, udaidzire nezwi guru iwe Jerusaremu muparidzi wamashoko akanaka, daidzira usatye. Iti kumaguta ekwaJudha, hoyo, tarirai muone Mwari wenyu. Tarisai muone, Tenzi ari kuuya nesimba rake anotonga nesimba roruoko rwake. Tarirai muone, mubayiro wake anawo, muripo wake ndiwo waanotungamidza. Achafudza zvipfuwo zvake somufudzi achagumbatira hwayana mumaoko ake achidzitakura pachifuva chake achinyatsonanaidza dzina vana. Ndiani akamboera mvura yamakungwa nechanza choruoko rwake kana akamboerawo matenga nechanza chake, kana akamboisa ivhu rapasi pose zvapo mumugomo kunyange kuera makomo muzvikero, kana zvikomo muchikero chomurengarenga? Ndiani akambotungamirira Mweya waTenzi, kana segweta rake achimurayiridza; waakambondobvunza mazano kuti amujekesere ndiani; akambomudzidzisa gwara roruenzaniso ndiani, akambomudzidzisa amupa ruzivo ndiani; akamuratidza nzira yokunzwisisa nayo? Chinzwai munzwe, marudzi ose avanhu aya akaita sedonhwe remvura riri mumugomo, uye akangoita semhukutu iri muzvikero, muonewo zvenyu kuti, zvitsuwa anozvikuhumura zvake seguruva rakatsetseka. Rebhanoni haina huni dzakakwana kana mhuka dzayo hadzikwane kuita mupiro wokupisa. Marudzi ose zvawo kwaari iye akangoita sechinhu chisina maturo, iye anoaona seasiri chinhu zvavo uye sechinhu pasina. Mwari mungamufananidze nei chaizvo, kana kuti chii chaichowo chamungamuenzanise nacho? Chifananidzo chokunamata, chinotoita zvokugadzirwa nomushandi, mhizha yezvendarama yochinamirira nendarama yochigadzirira cheni dzesirivha. Murombo anotozozvisarudzira zvake huniwo zvadzo dzisingaori kuti awane chokuitisa mupiro anotsvakawo nyanzvi inoziva basa kuzomisa chifananidzo chokunamata chisingazobviswa. Hamuna zvamunoziva here? Hamuna chamakambonzwa here? Hamuna here chamakataurirwa pakutanga? Hamunzwisisi here mavambirwo akaita nyika? Iye agere pamusoro peziendanakuenda rakatenderedza nyika ina vanhu vageremo, vakaita sezvitaunhau iye akawarira matenga sejira rokudzikatirisa anoatambanudza somusasa wetendhe wokugara, anoita kuti machinda ave zvinhu zvisina maturo, anoita kuti vatongi vapanyika vave vanhu pasina. Vanoita sokungonzi simwei kana kuti dyarwei midzi isati yatombobata muvhu, iye akangovafuridza nemhepo yake vanobva vawuna votututswa nemhepo huru ine simba sehundi. Zvino munonditora saani chaizvo wamunondienzanisa naye? Ndizvo zviri kubvunzwa naiye Anoera. Munodiiko kumbosimudza musoro mukaonawo kuti ndiani chaizvo akasika zvose izvozvi, iye anozvitungamirira sehondo nouwandi hwazvo kudaro achizvidaidza zvose namazita. Pamusana poukuru hwesimba rake uye nokuti pasimba chikakarara chaicho, hapana nechimwe chinenge chisipo. Nhaiwe Jakobho, nhaiwe Isiraeri, unodirei kutaura. Chii chauri kunyunyutira uchiti? “Upenyu hwangu ini kuna Mwari hwava chinhu chakavandika uye zvokuti ndiwane zvandinofanira kuwana Mwari haasisina hanya nazvo.” Hamuna zvamunoziva here? Hamuna chamakambonzwa here kuti, Tenzi ndiye Mwari, Chidzachepo kuti ndiye Musiki wenyika yose zvayo kusvika kwainoperera? Haamborukutika kana kuneta zvako, udzamu hwepfungwa dzake hakuna angahubate. Anopa simba munhu anenge arukutika, anenge asina simba anomusimbaradza. Kunyange vechidiki vanorukutika vachitoneta, majaya anowira pasi nokuneta asi vanovimba naTenzi simba ravo richavandudzwa, vachabhururuka namapapiro samakondo vachamhanya asi vasinganeti vachafamba asi vasingarukutiki. “Nditeererei makanyarara imi nyika dzokumahombekombe kwegungwa, imi ndudzi dzavanhu chisungai dzisimbe muuye padyo mutaure, ngatiunganei pamwechete titongane. “Ndiani akasvosva munhu wokumabvazuva anoti pose paatsika anongokurira chete. Anoti marudzi mumaoko make kacha achitsokodzera madzimambo pasi petsoka. Nebakatwa rake anoita kuti vave guruva, nouta hwake achivaitisa chimwandamwanda samashanga. Anonyatsovaronda pasina kana chinomuwana nenzira dzaasati ambotsika zvake. Ndiani akaita kuti zvose izvozvi zviitike, ndiani aipa zvijana kuzvizvarwa nezvizvarwa kubvira pakutanga? Ndinika iyeni Tenzi. Ndini iye wokutanga noWokupedzisira. “Nyika dzokumahombekombe kwegungwa dzakazviona dzikatya, vekwakaperera nyika chaiko vakadedera vava kukotonoka kuuya. Vanhu vari kuyamurana mumwe achitaurira mumwe wake kuti, ‘Tsunga mwoyo.’ Mhizha yebasa inokurudzirana nemhizha yezvendarama nowokukwenenzvera achipfura nenyundo neanorova pachisindi achiti kune anonama, ‘Manamiro acho akanaka.’ Vanorovera chifananidzo chokunamata nezvipikiri kuti chirege kuzunguzika. “Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, iwe Jakobho wandakasarudza Imi chizvarwa chaAbhurahamu, shamwari yangu. Iwe wandakatora kubva kwakaperera nyika ndikakudaidza kubva kure kure, ndichiti kwauri ‘Iwe uri muranda wangu ndakusarudza handina kukurasa. Naizvozvo usatye nokuti ndinewe. Usatambudzike zvako mumwoyo nokuti ini ndini Mwari wako. Ini ndichakusimbisa ndichikubatsira, ndichakutsigira noruoko rwangu runokurira.’ “Chinzwa, vose zvavo vane daka newe vachanyadziswa zvigovapazamisa, vanorwisana newe vachava sezvinhu pasina vagotsakatika. Vanokwikwidzana newe uchavatsvaka ukavashaya vanorwisana newe vachava sechinhu chisina maturo nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’ “Rega kutya Jakobho, iyewe honye zvayo kudai, iyemi vanhu veIsiraeri! Ndichakubatsirai, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi; mununuri wenyu, ndini Anoera waIsiraeri. Chinzwai, ndichakuitai chinhu chokupurisa nacho chitsva chakapinza china mazino uzopura makomo uchiaparadza, zvikomo uchizviita semarara zvawo. Muchazviurutsa zvigopeperetswa nemhepo zvigomwarariswa nedutu. Asi imi muchazofara zvikuru muri muna Tenzi, muchakurumbira naiye Anoera waIsiraeri. “Varombo navasina chavanacho vari kutsvaka mvura, asi hapana vatooma pahuro nenyota, ini Tenzi ndichavapindura, Ini Mwari weIsiraeri handivafuratiri. Ndichadziura hova pazvikomo zvisina miti nezvisipiti mumapani, Renje ndichariita dziva remvura pasi pakaoma ndichipaita chisipiti chemvura. Murenje ndichamumeresa miti yemisidhari yemiunga neyemumituri nemiorivhi, ndichisima mugwenga misaipurasi nemipureni nemipaini pamwechete kuitira kuti vanhu vaone vagoziva, varangarire vagonzwisisa pamwechete kuti simba roruoko rwaTenzi ndorwaita izvozvi, uye kuti iye Anoera waIsiraeri ndiye asika izvozvi. “Tenzi ari kuti, pirai nyaya yenyu muunze zvokutsigira nyaya yenyu. Ndizvo zviri kutaurwa naMambo wevokwaJakobho. Ngavauye nazvo zvifanotinyevera zvichazoitika, zvititaurire zvinhu zvapasi chigare kuti ndezvipi zvacho, tifunge nezvazvo tizive kwazvichazoperera kana kuti zvitizivise zviri mune ramangwana, zvititaurire zvichaitika mangwana tiziveka kuti muri vanamwari. Wanaiwo chamungaite chingave chakanaka kana chakaipa chitikangaidzeka kana kutityisa. Chionaika kuti, hapana nezvamuri, zvamunoita zvinhu pasina. Anokusarudzai anosemesa kwazvo. “Ndamutsa mumwe wokumaodzanyemba ari kuuya nechokumabvazuva anonamata zita rangu. Anotsokodzera vatongi semadhaka, somuumbi ari kukanya munyakwe. Ndiani akazvitaura pakutanga kuti tizvizivewo akafanozvireva kuti tigoti, ‘Aiva pachokwadi.’ Hapana akafanozvitaura kana kuwana akazviparidza. Hapana kana neakambokunzwai muchizvitaura. Hezvika ndatotanga kuzviparidza muZioni, ndapa kuJerusaremu muparidzi weshoko rakanaka. Asi ndinoti ndakatarisa ndinoona pasina mumwe akadai. Pakati paivava hapana kana jinda zvaro rokuti kana ndikabvunza ringapindure. Munongozvionawo kuti, vose zvavo mazungairwa chaiwo, zvavanoita hazvina maturo zvifananidzo zvavo zvokunamata zvoutare hwakanyungurutswa inongovawo mhepo zvayo, hapana zviripo.” “Hoyu muranda wangu wandinotsigira munhu wandakazvisarudzira, wangu wepamwoyo. Ndakaisa Mweya wangu maari, achaunzira marudzi avanhu ruenzaniso. Haazoita zvokudaidzira kana zvokushevedzera nenzwi rake kunyange kuita kuti rinzwike mumugwagwa. Rutsanga runenge rwakatyoka haridimure, rambhi rine tambo inoti kamoto roi roi kubvira haaridzime, achaunzira vanhu ruenzaniso chairwo. Haachazorasa mwoyo kana kudzokera shure. Kusvikira aunza ruenzaniso panyika, nyika dziri kumahombekombe kwegungwa dzamirira mutemo wake.” Zvanzi naTenzi Mwari, iye akasika matenga achiatambanudza nokokoko iye akawarira nyika nezviri mairi iye anopa vanhu mweya wokufema iye anopa upenyu vanofamba mairi, “Ndini Tenzi. Ndakakudaidzira kuzoita zvinhu chaizvo zvakarurama, ndakakubata ruoko ndikakuchengeta. Iwe ndiwe wandakaita kuti uve sechitenderano changu nendudzi dzavanhu chiedza kumarudzi avanhu kuzozarura maziso amapofu, kuzoburitsa vasungwa mujeri rapasi pevhu kuburitsa mujeri vagere muzarima. Ndini Yahweh, irori ndiro zita rangu. Hakuna zvako kana mumwe wandinopa ukuru hwangu kana kupa kurumbidzwa kwandinoitwa kuzvifananidzo zvokunamata zvakavezwa. Chionaika kuti, zvinhu zvakare zvakatoitika zvino ndava kukuzivisai zvinhu zvitsva nguva yokuitika kwazvo isati yasvika, ndava kufanokutaurirai nezvazvo.” Imbirai Tenzi rwiyo rutsva mumurumbidze, kubvira kumucheto wapasi pose. Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri nenyika dzokumahombekombe kwegungwa navagari vadzo. Gwenga namaguta aro ngazvidaidzire nezwi razvo nemishawo inogara Kedhari. Vagari vokuSera ngavaimbe nokufara kwazvo. Ngavadaidzire vari pamusoro chaipo pamakomo. Ngavape mbiri kuna Tenzi vadhumise mukurumbira wake munyika dzokumahombekombe kwegungwa Tenzi ari kuenda zvake segamba chairo rehondo, anoviruka nehasha somunhu wehondo. Anodaidzira anoshevedzera achizviratidza kuti ane simba rokukurira mhandu dzake. Kwenguva ndefu ndanga ndinyerere zvangu, ndanga ndakangobata mwoyo ndichizvidzora zvangu. Zvino ndava kuridza mhere somukadzi ari panguva yokusununguka, ndochitura femo ndichifemereka. Makomo nezvikomo ndichazviti pasi mbombombo kuparadza ndiomese zvose zvinomeramo. Nzizi ndichadzisandura kuita zvitsuwa madziva ndichiaomesa. Uye mapofu ndichaatungamirira nenzira yavasingazivi, ndichivatungamirira nomutunzira twavanga vasingazivi. Panzvimbo perima rakavaputira ini ndichaisa chiedza pana makomba makomba ndichiita kuti pati chechetere. Izvozvi izvi ndozvinhu zvandichaita, handisi kuzovafuratira. Asi vachapishunurwa vachinyadziswa chaizvo vanovimba nezvifananidzo zvavo zvokunamata zvakavezwa, vanoti kuzvifananidzo zvoutare hwakaita zvokunyungurutswa, “Imi ndimi vamwari vedu.” Chinzwa unzwe iwe matsi chitarisa iwe bofu uonewo! Ndiani chaizvo ano upofu kusatoti iye muranda wangu, kana kuti ane umatsi sohwenhume yangu yandinotuma? Ndiani chaizvo ane upofu sehwaiye akateketererweni uyu, kana kuti ane upofu hwakaita sohwemuranda waTenzi? Unoona zvako zvinhu zvakawanda asi haunyatsozvicherechedza, nzeve dzako dzakazaruka asi haunzwe. Tenzi, pamusana pokururama kwake, akafadzwa nokurumbidza mutemo wake nokuita kuti ukurumbire. Asi vanhu ivava vanhu vakabhinywa, vakapambwa, vose zvavo vakazaririrwa muninga vakahwandiswa mujeri, vakapinda munhamo isina anonunura, chinhu zvacho chokupamba chisina anoti, “Ngachidzorerwe!” Pakati penyu nyaya iyoyi ndiani angaitetekere nzeve akateerera akanzwa zvakanangana neramangwana? Ndianiko wakaisa wokwaJakobho mumaoko omupambi, uye vokwaIsiraeri mumaoko amabhinya? Handiti ndiTenzi here watakatadzira, ana makwara avasina kutevedza ano mutemo wavasina kuteerera? Ndokusaka akapedzera paari shungu dzokuviruka kwaakanga aita nehasha, nokumupinza munhamo yehondo. Akaputirwa namarimi omoto asi kuti zvazvaireva haana kuzvibata zvakamupisa asi chidzidzo chacho hachina kumupinda mumusoro. Asi pari zvino zvanzi naTenzi, Iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Isiraeri “Rega zvako kutya nokuti ndakakununura, ndikakudaidza nezita, uri wangu. “Paunopfuura nomumvura zhinji ndichave newe, kana ukapfuura nomunzizi hadzikutore, kana ukafamba nomumoto haukupisi, rimi romoto harikuroromesi. Ndinodaro nokuti ini Tenzi ndini Mwari wako iye Anoera waIsiraeri mununuri wako. Ndiri kupa Ijipiti kuti ive chokukutsikinurisa nacho, Itiopia neSebha dzive dzokutsiva iwewe, nokuti kwandiri, iwe wakakosha unoremekedzeka uye ndinokuda. Ndinobvisa vanhu kukutenga iwe, vanhu vokutsinhanisa noupenyu hwako Usatye nokuti ndinewe, vana vako ndichavaunza kubva kumabvazuva ndichikukokorodzai kubva kumadokero. Ndichati kune vokuchamhembe, regai vanhu ava; kune vokumaodzanyemba ndichiti, musavarambire; unzai vanakomana vangu kubva kure ikoko navanasikana vangu kubva kwakaperera nyika, wose zvake wandakadaidza nezita rangu wandakasikira mbiri yangu wandakaumba, wandakaita.” Uya navo vanhu ivavo, mapofu zvawo asi maziso vainawo, matsi zvadzo asi nzeve vainadzo. Marudzi ose avanhu ngaaungane pamwechete, ndudzi dzavanhu ngadziungane. Ndiani pakati pavo anogona kuzivisa vanhu izvozvi izvi, atirondedzere zvakaitika kare? Ngavauyeka nezvapupu zvavo zvizovapipirira vanzwe vagoti, “Ichokwadi.” Zvanzi naTenzi, “Imimi ndimi, zvapupu zvangu, iyemi ndimi muranda wangu wandakasarudza kuti mugoziva munditende munzwisise kuti inini ndini iye ari. Hapana mwari akaumbwa ini ndisati ndavepo, kana kuzova nomumwewo zvake mushure mangu. Ini ndini Tenzi, kunze kwangu hakuna mununuri. Ini ndakataura ndikanunura ndikazviparadza, izvozvo, pakati penyu pakanga pasati pava navamwari vesirivo, imimi ndimi zvapupu zvangu,” ndizvo zviri kutaura Tenzi “Ndini Mwari ini. Namangwana ese ndini Iye ari. Hakuna ane chaanogona kununura mumaoko mangu. Chandinenge ndaita ndiani chaizvo angachidzivise?” Zvanzi naTenzi, Mununuri wako, iye Anoera waIsiraeri, “Pamusana pako iwe ndichatumira vanhu kuBhabhironi kundotyoranisa zvihuri zvose; zhowezhowe revaKaridhea richasandurwa rikava kuchema. Ini ndini Tenzi, iye Anoera wenyu, Musiki weIsiraeri, Mambo wenyu.” Zvanzi naTenzi, iye anoita mugwagwa mugungwa, nenzira mukati memvura ine simba, nyakuunza ngoro nebhiza nehondo nomurwi wayo zvigoti pasi umburu pazvisingagoni kumukazve, zvakadzimwa zvikafuridzwa setambo yerambi “Regai kurangarira zvinhu zvakare kana kufunga zvinhu zvepasichigare, Chionai ndava kuita chinhu chitsva, chava kutoitika. Hamusi kuchiona here? Ndichaita nzira murenje nenzizi mugwenga. Mhuka dzesango dzichandikudza, makava kana mhou; nokuti ndichaita kuti murenje muve nemvura mugwenga muve nenzizi ndichipa mvura yokunwa kuvanhu vangu vandakasarudza, vanhu vangu vandakatozvisikira kuti vaite kuti mbiri yangu idhume.” “Asi iwe Jakobho hauna kudaidzira kwandiri asi wakatoneta neni iwe Isiraeri. Hauna kundivigira hwayana yako yemipiro yokupisa kana kundiremekedza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nemipiro kana kukunetsa norusenzi. Hauna kunditengera nemari rusenzi runonhuhwirira kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi kutoti wakatonditakudza mutoro wezvitadzo zvako, ukandifinha nouipi hwako. Ini, ini ndini Iye Ari, anodzima zvikanganiso zvako ndichizviita pamusana pangu, zvitadzo zvako ndicharega kuzvirangarira. Ndiyeuchidze, ngatiitei dare upire nyaya yako uratidze kuti hauna mhosva. Tateguru wako wokutanga akapara mhaka yechitadzo, vaikumiririra kwandiri, vakandikanganisira. Ndokusaka ndakan'oresa machinda omuNzvimbo Inoera ndakapinza Jakobho mukuparadzwa chaiko ndikapinza Isiraeri mukushorwa.” “Asi zvino chinzwa iwe Jakobho muranda wangu iwe Isiraeri wandakasarudza. Tenzi, iye akakusika, iye akakuumba uchiri munhumbu, iye achakubatsira anoti, rega kutya iwe Jakobho muranda wangu iwe Jeshuruni wandakasarudza nokuti ndichadira mvura panyika ine nyota nehova pasi pakaoma. Ndichadururira Mweya wangu pazvizvarwa zvenyu nechikomborero changu pavana venyu. Vachatungira souswa huri pakati pemvura zhinji semisambangwena iri muhova dzinoerera. Mumwe nomumwe achazviti, ‘Ini ndiri munhu waTenzi ini,’ mumwewo achizvidaidza nezita rokwaJakobho mumwewo achizvinyora paruoko kuti ‘WokwaTenzi,’ achizvipa zita redzinza rokwaIsiraeri.” Zvanzi naTenzi. Mambo weIsiraeri Mununuri wake Tenzi wehondo nehondo, “Ndini Wokutanga, ndini Wokupedzesera. Kunze kwangu ini, hakuna mumwe mwari. Ndiani chaizvo akaita seni? Ngaazviparidze, azvizivise vanhu azviise pachena ini ndiripo kudai. Ndiani akafanotaura kare ikako nezvezvinhu zvichauya? Ngavatitaurireka zvichazoveko! Rega zvako kutya kana kuita umbwende, handina kukutaurira here kare ndikatotema izvozvo? Imimi ndimi zvapupu zvangu! Kuno mumwe Mwari here kunze kwangu ini? Hakuna kana rimwe Dombo kana nerimwe zvaro randinoziva.” Vose vanogadzira zvifananidzo zvokunamata, hapana nezvavanhu, uye zvinhu zvavanofarira zvacho izvozvo hazvina chimuko, zvapupu zvacho hazvioni uye hazvina zvazvinoziva kuitira kuti vanyare nazvo. Kugadzira here chokwadi mwari kana kuforoma uchiumba chifananidzo chokunamata chisina kana chachinobatsira! Chiona, vanamati vacho vachanyadziswa vose zvavo, vagadziri vazvo, vanhu, ngavakokorodzane vose vamire apa, vachadumbirwa nazvo, vachanyara pamwechete. Mizha yezvoutare inochipfura ichishandisa moto wamarasha, anochipfura nenyundo, anochipfura nesimba roruoko rwake kuita zvaanoda. Nzara ikamubata opera simba akarega kunwa mvura anorezuka. Muvezi anotambanudza tambo wotara nepenzura ochipanha nembezo ochitara nekambasi ochiita kuti chive nechimiro chomunhu chiine runako rwomunhu chiri chokunzi chigare mumba. Anotema muti womusidhari kana kusarudza muti womuhorumu kana muoku ourega wokura mukati memiti yesango. Anosima musidhari mvura yokunaya youkudza, wotova zvawo huni dzavanhu. Anotora chidimbu chawo wochidziya moto, anobatidza nacho moto obika chokudya. Uyewo anogadzira nacho mwari ochipfugamira, anochiita chifananidzo chokunamata ochigwadamira. Chidimbu chacho anochipisa nomoto, pane chimwe chidimbu ndopaanodyira zvake nyama. Anogochera nyama ipapo achitoguta otodziyawo moto wacho achitoti, “Hamuoneka ndadziyirwa ini. Ndomotoka uyu!” Chimwe chidimbu chese chasara ichi anochiveza kuita mwari, chifananidzo chake chokunamata. Anochigwadamira achichipfugamira achichinamata achiti, “Ndinunureiwo, ndimi mwari wangu!” Havazivi kana kugona kupatsanura zvinhu nokuti akavapfiga maziso zvokuti havagoni kuona akavaputira ndangariro kuti vatadze kunzwisisa. Hapana anofunga, kana ano ruzivo kunyange anozoitawo ndangariro dzokuti, “Chimwe chidimbu, ndakachikuhwidzisa moto ndikatobika zvangu chokudya pamazimbe acho ndikatogocha nyama ndikadya zvangu, zvino ini ndopandingatore chasara chacho ndoita chinhu chisingadiwi naMwari here? Ndipfugamire here chokwadi chimuti ini?” Kudya dota chaiko ikoku, kurasika njere ikoku kwamurasisa uye haachagona kuzvinunura kana kuzviti, “Chandakabata murudyi ichi hachisi chinhu chenhema here ichi?” “Rangarira zvinhu izvozvi iwe Jakobho izvozvi zvokuti uri muranda wangu iwe Isiraeri. Ndini ndakakusika, uri muranda wangu. Isiraeri, handisi kuzombokukanganwa. Ndakawumbura seguti kubvisa zvikanganiso zvako ndikawumbura semhute zvitadzo zvako. Dzokera kwandiri nokuti ndakakununura. Imbai norufaro imi matenga imbirai Tenzi nokuti ndiye akazviita imi nzvimbo dzakadzikadzika dzapasi penyika daidzirai, imi makomo tangisai kuimba, newe sango nomuti wose urimo, nokuti Tenzi akanunura Jakobho uye acharumbidzwa muIsiraeri. Tenzi, mununuri wako, akakuumba uchiri munhumbu anoti, ‘Ndini Tenzi akasika zvinhu zvose,’ iye woga akatambanudza matenga akawarira nyika nokokoko. Ndiani aiva neni ipapo? Iye anoshayisa mazano shuramanenji dzinofembera zvenhema anopusisa vanoshopera, iye anosandutsa vachenjeri, ruzivo rwavo achiruita chinhu chisina maturo. Ndiye anotsigira shoko romuranda wake anoita kuti mazano enhume ashande. Iye anotaura nezveJerusaremu kuti, ‘Richagarwazve navanhu,’ uye nezvamaguta okwaJudha kuti, ‘Achavakwa,’ ndichasimudza kuvaka matongo acho. Anoti kuhwenje, ‘Iti papata kuoma, ndichiita kuti nzizi dzenyu dzipwe.’ Ndini iyeni ndinoti kuna Sairasi: mufudzi wangu achaita zvose zvandakaronga, achitoti nezveJerusaremu, ‘Ngarivakwe,’ achitiwo, ‘NezveTemberi ugaro hwayo ngahuvakwe.’ ” Tenzi ari kutaurira muzodzwa wake Sairasi wandakabatana ruoko rwerudyi zvokuti ndinofanokurira marudzi avanhu mberi kwake nokushayisa madzimambo simba nokufanozarura makonhi mberi kwake kuitira kuti misuo mikuru irege kupfigwa achiti, “Ndichafanoenda mberi kwako ndichifanoita kuti nzvimbo dzakatunhumara dziti chechetere, ndichipaza kuti mwarara makonhi endarira ndichidimura zvihuri zvesimbi. Ndichakupa upfumi hwomurima hwakavigwa munzvimbo dzechivande kuti uzive kuti ini ndini Tenzi Mwari weIsiraeri ari kukudoma nezita. Chandiri kuitira muranda wangu Jakobho, naIsiraeri wandakasarudza. Ndinokudoma nezita ndichikudaidza nezita redzinza rako kunyange zvako usingandizivi. Ndini Tenzi hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari kunze kwangu anokupa simba ndini kunyange usingandizivi kuitira kuti kubvira kumabuda zuva kusvikira kumadokero vanhu vagoziva kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Tenzi hakuna mumwe. Ndini ndinoita kuti chiedza chivepo ndichisikawo rima. Ndini ndinoita kuti kuve nokugarika. Ndini ndinounza pfumvu. Ndini iyeni Tenzi ndinoita zvinhu zvese izvozvi. “Imi matenga muchadenga'mu nayai, makuti anaise ururami nyika ngaizaruke ruponeso rumere pairi iite kuti ururami hutungirewo, Ini Tenzi ndini ndinozviita.” Ane nhamo munhu anokakavadzana noMusiki wake, ihari inorwisana nomuumbi wayo! Iro ivhu rokuumbisa ringabvunze here anoumba naro kuti, “Ko ndicho chii ichochi chauri kuumba?” Kana kuti, “Inga zvokuumba izvi, hamuna maoko nazvo?” Ane nhamo mwana anoti kuna baba, “Ko ndicho chiikowo ichochi chamakabereka?” Kana kutoti zvake kuna mai, “Ko chiikowo ichochi chamakasununguka?” Tenzi, iye Anoera waIsiraeri, Musiki wake anoti, “Wada here iwe kundibvunza nezvevana vangu? Kana kutondiudza zvokuita nebasa randinoita ini namaoko angu? Ndini ndakaita nyika ndikasika munhu pairi; ini namaoko angu ndini ndakatambanudza matenga uko nekokoko. Ndini ndakabata mumaoko gurusvusvu rezvose zvomudenga imomu. Ndini ndakamumutsa mwoyo ndikamupa ukundi ndicharuramisawo makwara ake ose. Achavaka guta rangu achasunungura vanhu vangu vari muutapwa pasina zvokupiwa mubayiro kana muripo.” Ndozvinotaura Tenzi wehondo nehondo. Zvanzi naTenzi, “Zvinhu zvinoshandwa kuIjipiti noupfumi hwokuItiopia nevaSabhia ivo vaye hofori dzavanhu zvichauya kwamuri zvichiva zvenyu. Vachati rongondo munzira kukuteverai vachayambukira kwamuri vakasungwa nemajoti vachizoti kwamuri pasi kota kota. Vachakutetererai vachiti, imimi chete ndimi muna Mwari, hakuna mumwe, kunze kwake, hakunazve mumwe Mwari!” Imi muri Mwari anozvivanza zvenyu imi Mwari weIsiraeri, Mununuri. Vose zvavo vanenge vanyadziswa, vatsveruka, vagadziri vezvifananidzo zvokunamata vachadumbirwa pamwechete. Asi Isiraeri inonunurwa naTenzi nokununura kunogara narini wose asi imimi zvokunyadziswa hamunyadziswe kana kutsverutswa zvako nokusingaperi. Chikonzero ndechokuti iye Tenzi, Nyakusika matenga ndiye Mwari iyeyu akaumba nyika akaiita, akaita kuti imire kudai; haana kuisika sechinhu chisina kunyatsoumbwa. Chaakaisikira kuti igarwe navanhu. Ari kuti, “Ini ndini Tenzi, hakuna mumwe. Handina kutaura muchivande mukati menyika yerima. Handina kumboti kuzvizvarwa zvokwaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Zvandinoreva ini Tenzi, zvakarurama ndinotaura zvinhu zviri pachokwadi.” “Kokorodzanai muuye muswedere pedyo pamwechete imi vakapunyuka vokumarudzi avanhu uku! Havana noruzivo zvarwo ivo vanotakura zvifananidzo zvokunamata zvezvimiti vachidzunga nazvo vachingogoorera kunamata kuna mwari asingagone kununura. Zivisai vanhu mupire nyaya yenyu murege vapane mazano pamwechete! Ndiani akafanozvitaura izvozvi kareko? Ndiani akazvizivisa vanhu kare ikako? Handisiri here ini Tenzi hakuna mumwe Mwari kunze kwangu ini, Mwari akarurama, Mununuri hakuna mumwe kunze kwangu. “Tendeukirai kwandiri muponeswe imi vekwose kwakaperera nyika ndinodaro nokuti ini ndini Mwari hakuna mumwe. Ndinopika neni pachangu kuti shoko rangu randareva muururami muromo usingawire pasi rinoti, ‘Ibvi rose zvaro richandipfugamira rurimi rwese zvarwo ruchandipupura.’ “Zvichataurwa nezvangu zvichinzi, ‘Muna Tenzi chete ndimo mune ururami nesimba. Vose zvavo vaiva nedaka naye vachauya kwaari vachinyara.’ “Muna Tenzi umu zvizvarwa zvose zvokwaIsiraeri zvichava nokukurira nembiri.” Bhero achiti gojoto Nebho achiti undundu, zvifananidzo zvavo zvokunamata zvatoiswa pazvipfuwo napamombe zvinhu zvenyu izvozvi zvava kuita zvokutotakurwa pamhuka dzakaneta zvadzo. Zvose pamwechete zvakati undundu, zvachiti gojoto mutoro wazvinofanira kununura zvipfuwo hazvichaugona kuununura asi kutoti naizvowo zvotoenda kuutapwa. Chimboteererai kwandiri munzwe, imi vemba yokwaJakobho imi mose chitsama chavanhu vokwaIsiraeri chakasara, imi vandakatakura kubvira pakuberekwa kwenyu. Ndakakutakurai kubvira muchiri mudumbu kusvikira pamunochembera, ndini, kusvikira muchene musoro ndini ndinokutakurai. Ndini ndinosika, ndini ndinochengeta, ndini ndinotakura, ndini ndinonunura. Munondifananidza naani chaizvo wamunoti akaita seni, munondienzanisa naani wamungandifananidza naye? Vanoodzvora ndarama muhomwe dzavo vachiera sirivha pazvikero, vanokumbira mupfuri wesimbi ovaumbira mwari ivo vototi pasi gwadagwa kuchipfugamira! Vanochisumudza vochichiisa pamapfudzi vochitakura vondochigadzika panzvimbo pacho chobva chati ipapo mbikiti zvokutsukunyuka ipapo hachigoni Kana munhu akachema kwachiri hachipinduri kana kumununura munhamo yake. Yeukai zvinhu izvozvi muchinyatsofungisisa murangarire izvozvi izvi mumwoyo menyu imi vakanganisi rangarirai zvinhu zvaiveko chigariro nokuti inini ndini Mwari hakuna mumwe. Ndini Mwari iyeni hakuna mumwe akaita seni, ndakaparidza kubvira pakutanga magumiro achaita zvinhu kubvira pasi chigare zvinhu zvainge zvisati zvaitika ndichiti, “Zvandinenge ndaronga zvinotoitika chandinenge ndafunga kuita ndinotobudirira kuchiita.” Ndichadaidza kumabvazuva shiri inodya nyama munhu wokuita zvandakaronga wokunyika yokurekure. Ndini ndazvitaura uye ndichaita kuti zviitike ndini ndazvironga ndichazviita. Chiteererai kwandiri munzwe imi tsvuuramuromo dzavanhu iyemi muri kure noruponeso nguva yangu yokukunda yave padyo, haisisiri kure uye ruponeso rwangu haruchanonoka. Ndichaponesa Zioni kuitira Isiraeri mbiri yangu. Chiburuka pasi ugare pavhu iwe mukunda mhandara, guta reBhabhironi ugare pasi usina chigaro choumambo. Iwe mukunda, guta revaKaridhea nokuti hauchanzi munhu ano mwoyo munyoro mwoyo wokuziva. Chitotora makuyo uchikuya zvako upfu, vhoiri rako bvisa, katanura rokwe rako rinozvezvera napasi. Kwinya rokwe rako urisvitse muchiuno uyambuke nzizi. Muviri wako uchaiswa pachena, uonererwe navanhu. Ndichatsividza ndisina wandinosiya. Mununuri wedu ndiTenzi wehondo nehondo, ndozita rake iroro, ndiye Anoera weIsiraeri. Chigara chinyararire upinde murima, iwe mukunda guta revaKaridhea, nokuti hauchazonzi shasha anotonga dzinyika. Ndakanga ndashatirirwa vanhu vangu ndikan'oresa nhaka yangu ndikaiti mumaoko mako kuche, iwe hauna kuvaitira tsiye nyoro. Pane vakanga vakwegura ava joko rako wakariita kuti rinyatsoremesesa chaizvo uchizviti, “Ndini ndichagara ndiri shasha narini wose.” Zvokuti mumwoyo mako umu zvinhu izvozvi izvi hauna kumbozvifunga kana kumborangarira zvako magumo wazvo. Zvino naizvozvo chinzwa zvinhu izvi, iwe munhu wokusasana, iwe wakanyatsogarikana unozviti mumwoyo “Ndini pano ini, hakuna mumwe akaita seni! Ini, kugara sechirikadzi, hazvitomboitika, kana iko zvako kunzi ndafirwawo navana.” Izvozvi zviri zviviri uchayerekana zvakuwira zuva rimwechetero, iko kushayikirwa navana nouchirikadzi, zvichakuwira nomwero wakanyatsokwana kunyange zvazvo iwe uine uroyi hwakanyanya kudai nesimba guru remakona ako. Wakatogadzikana zvako mwoyo uri muhuipi hwako ihwohwo uchitozviti, “Hakuna anondiona.” Uchenjeri hwako noruzivo rwako, zvakakurasisa uchizviti mumwoyo, “Ndini pano ini hakuna mumwe kunze kwangu.” Asi nhamo ichakuvinga yausingagoni kupedza nokupfupira, uchawirwa nenyatwa yausingakwanise kupodza nokupira, uchayerekana wawirwa nedzinoparadza dzausina chaunoziva nezvadzo. Batisisa zvemakona ako izvozvo nezvouroyi hwako hwakanyanya ihwohwo zvawadai kushanda nazvo kubvira pauduku hwako dzimwe nguva ungagone kubudiriraka, zvimwe ungambotyisidzirawo. Waneteswa nawo mazano ako akawanda, ngaachimiraka akununure tione, ivo vanoisa matenga muzvikamu zvikamu vanoongorora nyenyedzi pakugara kwemwedzi vanoti pakugara kwemwedzi vofemberaka pamusoro pezvichazokuwira. Hezvo vava kunge zvidzitsi, moto wovaroromesa zvino. Havachakwanisi kuzvinunura kusimba rokupisa kwerimi racho. Haasi mavhunze okuti munhu adziye usiri moto wokugara padyo uchigota! Ndizvozvo chete zvavanogona kukuitira kuna ivo vacho kwawaindobvunzira kubvira pauduku hwako, vachakudzvamuka voti uyu nokwake uyu nokwake, wokukununura panenge pasisina. Teererai munzwe izvi imi vemba yokwaJakobho imi munodaidzwa nezita raIsiraeri uye makabva muura hwaJudha, imi munopika nezita raTenzi uye munozviti vanamati vaMwari weIsiraeri musingazviiti pachokwadi kana nomazvo, nokuti munozviti vagari veguta rinoera uye kuti munovimba naMwari weIsiraeri ane zita rokuti Tenzi wehondo nehondo. Zvinhu zvakare, ndakafanozvitaura nomuromo wangu ndikazviparidza, uye ndakazviita pakarepo zvikabva zvaitika. Pamusana pokuti ndaizviziva kuti iwe uri tsvuuramuromo wakaomarara sesimbi uye kuti sendarira hautepuki, ndakazviparidza kwamuri kubvira kare zvisati zvaitika, ndakazvitaura kwamuri ndichiti mungadaro mukazoti zvifananidzo zvedu zvekunamata ndizvo zvakazviita, kana kuti zvifananidzo zvedu zvokuveza kana zvokuumba ndozvakati zviitwe. Makazvinzwa zvino mazvionaka zvose izvi saka imi hamusi kubvuma here? Kubvira iye zvino ndavakukutaurirai zvinhu zvitsva zvinhu zvakavanzika zvamusati mamboziva. Zvandava kuita iye zvino, kwete zvakaitika kare kare, kusvika pari nhasi hamusati mambozvinzwa nokuti mungadaro mukati, “Ndaizviziva wani.” Hamuna kumbozvinzwa kana kumbozviziva, nakare kose hazvina kumbopinda munzeve dzenyu, nokuti ndaiziva kuti imi hamutendeki, uye kuti kubvira pauduku hwenyu mainzi vapanduki. Pamusana pezita rangu ndiri kumbodzora zvangu hasha dzangu. Pamusana pembiri yangu ndiri kudzidzora zvangu kuti ndirege kukuparadzai. Chinzwai, ndakakunatsai, asi kwete kuita sesirivha, ndakakuedzai muvira ramatambudziko. Ndiri kuzviitira ini pachangu, Wandiri kuitira wacho ndini. Chandingashorerwe zvangu zita rangu chii? Handingaregi mbiri yangu ichienda zvayo kuna vamwe. “Chimbondinzwa unzwe Jakobho, iwe Isiraeri wandakadaidza. Ndini Iye ari, ndini wokutanga ndini wokupedzesera. Ini noruoko rwangu ndini ndakaita ugaro hwenyika ini norudyi rwangu ndikaawarira matenga. Pandinozvidaidza zvinobva zvati pamwechete zhandanu kumira. “Kokorodzanai mose zvenyu munzwe, ndiani pakati pavo akaparidza zvinhu izvozvi? Tenzi anomuda achiita zvaanoda neBhabhironi, nesimba roruoko rwake acharwisa vaKaridhea. Ini iyeni ndini ndataura, ndini ndakamudaidza ndikauya naye uye achabudirira mune zvose zvaanoita. Swederai kwandiri munzwe izvi, kubvira pakutanga handina kumbotaura, muchivande, kubvira panguva yazvakaitika ini ndakanga ndiripo.” Iye zvino Tenzi Mwari andituma neMweya wake. Zvanzi naTenzi, Mununuri wenyu, iye anoera weIsiraeri, “Ndini Tenzi, Mwari wenyu iye anokudzidzisai zvine chimuko, anokutungamirirai mugwara ramunofanira kufamba naro. Dai makangoteerera waro mitemo yangu, rugare rwenyu rungadai rwakaita serwizi, kururama kwenyu kuchiitawo samasaisai egungwa, vana venyu vangadai vakaita sejecha kuwanda, zvizukuru zvenyu zvakaita setsanga dzaro zita ravo risingamboitwa kuti rirove kana zvako kutsakatika kwandiri.” Budidzanai muBhabhironi mutize munyika yeKaridhea Paridzai vanhu zvinhu izvozvi, muchiita mupururu wokupembera kufara muchivazivisa izvozvi zvisvitsei kwakaperera nyika chaiko muchiti, “Tenzi anunura muranda wake Jakobho!” Havana kumbonzwa nyota paakavatungamirira nomurenje, akavaitira kuti mvura iyerere ichibuda mudombo, akatsemura padombo mvura ikapfachuka kubuda. Zvanzi naTenzi, “Vakaipa havana rugare.” Nditeererei munzwe imi nyika dzokumahombekombe, munzwe imi ndudzi dzavanhu dzokurekure Tenzi akandidaidza ndichiri munhumbu akanditumidza zita ndiri munhumbu mamai vangu. Akaita kuti muromo wandinotaura unge bakatwa rakapinza akandihwandisa mumumvuri weruoko rwake. Akandiita museve wakakwenenzverwa akandihwandisa mumukutu wake. Akanditi, “Iwe ndiwe muranda wangu iwe Isiraeri uchaita kuti ndidhumhe mbiri.” Asi ini ndakati, “Inga ndakashandira pasina ndakapedzera simba pasina, nezvinhu zvisina maturo ose. Asi changu ini chiri muna Tenzi, nomubayiro wangu una Mwari wangu.” Saka zvino zvanzi naTenzi, iye akandiumba ndichiri mudumbu kuti ndizova muranda wake wokudzosera vokwaJakobho kwaari kuti Isiraeri izoungana kwaari nokuti ini ndiri munhu anoremekedzeka kuna Tenzi, uye Mwari ndiye simba rangu, iye anoti, “Chinhu chiduku nhai chokuti iwe uve muranda wangu, wokumutsa rudzi rwekwaJakobho nokudzosera pakare vacho vakachengetedzeka vokwaIsiraeri. Inga ndichaita kuti uve sechiedza kumarudzi evanhu kuitira kuti ruponeso rwangu rusvike kwakaperera nyika chaiko.” Zvanzi naTenzi, iye Mununuri weIsiraeri iye Anoera wayo kuna iye anozvidzwa zvokupedzesera anosemwa namarudzi evanhu, iye muranda wevatongi achiti, “Madzimambo achakuona vakasimuka machinda vachakupfugamira pamusana paTenzi akatendaka Anoera waIsiraeri akakusarudza.” Zvanzi naTenzi, “Ndichakupindura panguva kwayo pazuva roruponeso ndichakubatsira ndichakuchengeta. Ndichaita kuti uve mumiriri wevanhu vose ndichiita chitenderano changu navo chokuvadzosera nyika uye vagogoverwa nhaka yakanga yadai kuparara uye kuti uti vasungwa vabude muusungwa, vari murima vabude pachena. Vachafura zvavo, munyasi memigwagwa mikuru uye pamitunhu yakatunhumara isina miti ndopavachafurira zvavo havachazonzwa nzara kana nyota, kunyange mhepo inopisa nezuva hazvizovatumhisa, nokuti iye anovada kwazvo achavatungamirira achivasesedza nokuzvitubu zvemvura. Ndichaita kuti pamakomo angu pose pave nomugwagwa, uye migwagwa yangu mikuru ichaitwa kuti itanhuke. Tarisai muone vamwe vachabva kure, vamwe vachibva kuchamhembe nokumadokero, vamwewo vachibva kunyika yeAsiwani.” Imbai norufaro imi matenga upembere iwe nyika, tsemurai mumhanzi imi makomo nokuti Tenzi ava kunyaradza vanhu vake nokunzwira tsitsi vanhu vake vari munhamo. Asi guta reZioni rakati, “Tenzi akandifuratira Tenzi wangu, akandikanganwa.” “Mudzimai angakanganwe here mwana wake achiri kuyamwa, achitadza kuva netsitsi nomwana akabva munhumbu make? Kunyange zvazvo ivava vakakanganwa asi ini handizokukanganwi. Chinzwa unzwe ndakaita zvokukutemera senyora muzvanza zvamaoko angu, tsvingo dzako dzinogara dziri mupfungwa dzangu. “Vana venyu vava kupitipidza kudzoka vaikuparadzai vava kubudidzana kuenda. Simudzai musoro mutarise kwose kwose muone kuti vari kuungana vose zvavo vachiuya kwamuri. Hezvino ndakudai ini Tenzi, ndinoti vose zvavo vachatoti pauri nyerere sezvishongo, sezvinoita muroora pamuchato kusungirira hanzu ndozvauchaita kuunganidza pauri vana vako. “Kunyange zvazvo nzvimbo dzemako dzakanga dzarozvwa chaizvo dzasara dzava matongo, ivhu rako rasakadzwa; uye zvino uchanyatsova kamanimani zvokuti vagari vemako vanenge vasisakwane, vaya vakambokuzhanya vachange vava kure kure. Vana vakaberekwa nguva yenhamo yako vachakutaura uchinzwa kuti, ‘Nzvimbo iyi yaita diki kwandiri, ndiwanisewo pokugara pakati kurei;’ iwe ndopauchati nechomumwoyo, ‘Ko ndiani akandiberekera ivava? Inga ndakanga ndafirwa ini ndisisabereke, ndakanga ndatopwa ini ndachinzi hangu uko njo, ko akazorera ivava ava ndiani? Zvamunoona ndakasiyiwa ndava ndoga, ko ava vabva nepiko?’ ” Zvanzi naTenzi Mwari, “Chinzwa, ndichasumudza ruoko rwangu kumarudzi avanhu, ndichininira kundudzi dzavanhu. Vachauya vakatakura vanakomana mumaoko, vanasikana vako vari pamapfudzi. Madzimambo achave madzibaba okukuchengeta vanavahosi vavowo vari vanamaiwo vokukurera. Vachati uso pasi kota kota vachikuremekedza, vachizvirereka zvokutonanzva guruva retsoka dzako. Ndopaunobva wazoziva kuti ini ndini Tenzi vose vanovimba neni havazonyadziswa.” Ko chawira mumaoko eane simba chingabvutwe here kana kununura nhapwa dzomutongi ane utsinye nokuti zvanzi naTenzi, “Kunyange chawira mumaoko meane simba chichabvutwa, nhapwa dzichinunurwa kumutongi ane utsinye nokuti ndicharwisana nevanokurwisa ndichanunura vana vako. Ndichaita kuti ivo vanokudzvanyirira vadye nyama yomuviri wavo, vachadhakwa neropa ravo ivo sevadhakwa newaini. Ndopachaziva munhu wese kuti ini Tenzi ndini Muponesi wako, Muponesi wako noMununuri wako iyeni Samasimbaose waJakobho.” Tenzi ari kuti, “Ko tsamba yegupuro yandakapa amai venyu iripiko yandakavaramba nayo? Kana kuti ndiani wandine chikwereti naye kwandakakuendesai somuripo wechikwereti? Chinzwai, makaendeswako somuripo pamusana pouipi hwenyu kukanganisa kwenyu imi ndokwakaita kuti amai venyu varambwe. Seiko pandakauya ndisina kusvikowana munhu, zvandakadaidza sei pasina akadaira? Ko ruoko rwangu rwakapfupikiswa zvokuti harugone kununura here? Kana kuti simba rokununura handina here? Chinzwai, nezwi rangu ini rokutsiura, gungwa rinobva raoma, ndichiita kuti nzizi dzive gwenga zvaro, hove dzadzo dzigonhuhwa nokushaya mvura dzichifa nenyota. Ndinoitisa matenga kuti ati ndo-o kusviba ndichiapfekedza masaga sehanzu inopfekwa neakafirwa.” Tenzi Mwari akandipa muromo wakadzidziswa kuti ndizive kusimbaradza neshoko vakarukutika. Mangwanani oga oga anondimutsa anondimutsa kuti nzeve yangu iite seyomudzidzi. Tenzi Mwari akazarura nzeve dzangu ini handina kupanduka kana kufuratira. Ndakarega vanhu vachindirova musana ndikatendeutsira matama angu kune vaindidzura ndebvu. Handina kuvanza chiso changu pamusana penyadzi kana nokupfirwa mate. Sezvo Tenzi Mwari anondibatsira naizvozvo handimbopazama musoro, ndokusaka ini ndakaruma shaya uye ndinoziva kuti handizombonyadziswa. Anondipipirira ari padyo. Ndiani angapikisane neni? Ngatimirisanei. Ari kundipa mhosva wacho ndiani? Ngaauye pano pandiri. Chinzwa, Tenzi Mwari anondiyamura. Ndiani achanditi iwe une mhosva? Teerera unzwe, vose zvavo vachasakara sehembhe vachidyiwa notumashaveshave. Ndiani pakati penyu anotya Tenzi iye anoteerera izwi romuranda wake, anofamba murima asina mwenje anovimba nezita yaTenzi? Achitsamira pana Mwari wake? Chinzwai munzwe imi mose munotungidza moto imi munobatidza mazhenje, fambaika zvenyu muchiedza chomoto wenyu iwoyo nemazhenje iwayo amakatungidza. Asi shamhu yandichakupai noruoko rwangu ndeyokugara munhamo. “Nditeererei imi munotevera ururami, imi munotsvaka Tenzi. Tarisai kudombo kwamakakwakwanurwa nokuziware kwamakacherwa. Hamuone here baba wenyu Abhurahamu, naSara akakuberekai? Nokuti pandakamudaidza, akanga achingova munhu mumwechete ndikazomukomborera nokumupa vana vazhinji, nokuti Tenzi achanyaradza guta reZioni achinzwira tsitsi matongo aro ose achaita kuti renje raro rive seEdheni, gwenga raro richiita sebindu raTenzi. Muchafarwa imomo muchipemberwa, muchitendwa Mwari muchiimbwa. “Teererai kwandiri vanhu vangu ndinzwei imi rudzi rwavanhu vangu nokuti kwandiri ndokuchabva mutemo noruenzaniso rwangu rwunopa chiedza kumarudzi. Nguva yangu yokununura yava kutosvika izvozvi, nguva yangu yokuti ndichiponesa yatova kuuya izvozvi, marudzi evanhu achava mumaoko mangu, ndichatonga nyika dzokumakungwa dzakamirireni, vava kungotarisira kwandiri inini noruoko rwangu. Simudzai musoro mutarise nameso enyu kumatenga, mutarisewo panyika pasi pasi nokuti matenga achanyangarika soutsi, pasi pachasakara sembatya, vanhu vanogaramo vachafawo senhunzi. Asi kununura kwangu kuchagara narini wose uye kukunda kwangu kuchavapo nokusingaperi. “Nditeererei munzwe imi munoziva ururami, vanhu vane mwoyo une mutemo wangu, regai kutya kushorwa navanhu musatye kunyomba kwavo. Ndinodaro nokuti vachadyiwa namabetepeswa sehembe vachidyiwa nezviundudzi semvere. Asi kukunda kwangu kuchavapo nokusingaperi uye kununura kwangu kuchagara kuripo zvizvarwa zvenyu zvose.” “Simukai, simukai mukoke simba, imi Tenzi nesimba reruoko rwenyu simukai somumazuva aye epasichigare mazuva aye ekarekare. Hamusirimi here makaita Rahabhu kanyama kanyama muchibaya garanyanya riya? Hamusirimi here makaomesa gungwa mvura zhinji yehwenje chaiyo muchiita kuti pasi pasi pegungwa pave nenzira, kuitira kuti vakanunurwa vapfuure. Ipapo vakanunurwa naTenzi vachadzoka, vachauya kuZioni vachiimba vaine rufaro rusingaperi mumwoyo vachava nokupembera nokufara kusuwa nokuyaura zvichati ware kutiza. “Ini iyeni ndini ndinokunyaradzai, chaunotyira munhu anofa chii munhuwo zvake akaita souswa uchikanganwa Tenzi akakusika akawarira matenga akaita ugaro hwenyika uchiswerotya zvako ukasha hwomunhu anodzvanyirira, iye akaisa mwoyo mune zvokuparadza? Hwava papiko ukasha hwomunhu anobata vamwe zvakaipa wacho? Nyakumbonzi pasi kota kota atobva asunungurwa izvozvi. Haachapafa kana kudzika kuGomba kunyange kushaya chokudya nokuti ini Tenzi, ndini Mwari wako anobvundura gungwa kuti masaisai aro atinhire. NdiTenzi wehondo nehondo ndozita rake irori. Ndaisa mashoko angu mumuromo mako iwe ndikakuhwandisa mumumvuri weruoko rwangu, matenga ndinoadzika nyika ndichiitirawo ugaro hwayo ndiri kuti kuguta reZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ” Muka Muka, uti twii kumira iwe guta reJerusaremu iwe wakatumhiswa neshamhu yeruoko rwaTenzi mukombe wehasha dzake iwe wakanwa namasese ese kapfuko kezvakakudhadharitsa. Hapasisina nomumwe anotungamirira Jerusaremu pakati pevanakomana vose zvavo varakabereka; wokurisesedza noruoko hapasisina pakati pevanakomana varo vose zvavo varakarera. Zvinhu zviviri izvozvi izvi zvakakuwira iwe zvino ndiani achakubata maoko? Ko paumharadzi nepakuparadza kwose uku nepashangwa yenzara nepamapakatwa ehondo zvakakuwirai izvi, pakadai, ndinokunyaradza ndakaita sei? Vana vako vacharukutika vakati rakata kurara pakona yoga yoga yomugwagwa vachiita sengwarati iri mumambure Mwari ari kuvaonesa ndondo nehasha dzake, kuri kutsiudza kwaMwari wavo. Naizvozvo iwe Jerusaremu teerera unzwe izvi, iwe uri kuoneswa nhamo iwe wakadai kudhakwa, nezvisiri waini. Zvanzi naTenzi wako, Tenzi, Mwari wako anopipirira vanhu vake nhuna dzavo, “Chinzwa unzwe ndobvisa mumaoko mako mukombe waikudhadharitsa nekapfuko kehasha dzangu hauchazvinwazve. Asi vaikuonesa ndondo ivavo ndivo vandava kupa muruoko mukombe wenhamo iyoyo, ivo vaikuti, ‘Zvambarara pasi tifambe napamusoro pako,’ iwe ukanyatsoita kuti musana wako uti kwasvarara sepasi uye somugwagwa wavanofamba nawo.” Muka, muka, usunge dzisimbe, iwe guta reZioni. Pfeka hanzu dzako dzakanakisisa; iyewe Jerusaremu, guta rinoera, nokuti mauri iwe hamuchazombopinda zvamo vasina kudzingiswa kana vakan'ora. Ibva muvhu, umuke, ugare, iwe Jerusaremu musungwa, bvisa majoti muhuro mako, iwe nhapwa, mukunda, guta reZioni. Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi, “Pamakatengeswa hapana chakaripwa, saizvozvowo kununurwa kwenyu hapana mari inobviswa, nokuti zvanzi naTenzi Mwari, pakutanga imi vanhu vangu makaenda kuIjipiti mukambondogara ikoko uyewo vechiAsiria vakazokuonesai nhamo mahara. Zvino pakadai apa, changu chaizvo chiiwo ipapa, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi, zvichinyatsoonekwa kuti vanhu vangu vari kungotorwa zvavo mahara? Tenzi ari kuti vatongi vavo vari kugurukuta, zita rangu richisweroshorwa. Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu. Nokudaro, zuvaro vachazivawo kuti ini ndini Iye Ari ndiri kutaura kudai, iyeni pano.” Hakusi kunaka ikoko, pamakomo, kwakaita tsoka dzaanouya neshoko rakanaka, anoparidza vanhu shoko rorugare achiunza shoko rakanaka shoko rezvakanaka, anoparidza vanhu shoko roruponeso achiti kuguta reZioni, “Mwari wenyu ndiye anotonga.” Teerera unzwe zvoita vachengetedzi veguta havo vodaidzira voimba pamwechete norufaro nokuti vari kunyatsozvionera nameso kudzoka kwaTenzi kuZioni. Chitsemurai mumhanzi pamwechete, imi matongo eJerusaremu nokuti Tenzi ava kunyaradza vanhu vake ava kuzonunura Jerusaremu. Tenzi ava kuratidza simba roruoko rwake runoera ndudzi dzose dzavanhu dzichiona kwose zvako nekwakaperera nyika vachaona ruponeso rwaMwari wedu. Chibudai chibudaimo muBhabhironi musambobata zvenyu chinhu chakan'ora! Budai mukati maro zvichenurei imi pachenyu imi vatakuri vemidziyo yaTenzi, nokuti kubuda hamusi kuzobuda zvechimbichimbi, hamusi kuzobudamo zvekutiza nokuti Tenzi achakutungamirirai, Mwari weIsiraeri achakuperekedzai ari necheshure. “Inzwai munzwe, muranda wangu achabudirira, acharumbidzwa, achasumudzirwa pamusoro achiva wapamusorosoro. Sezvakaitika kuti vazhinji vakakatyamara naye asisatarisike zvakanaka, asisamboonekwa somunhu. Chimiro chake zvokuti munhu pasisina, Ndudzi dzakawanda dzichaomawo mate mukanwa nazvo, madzimambo chaiwo achibatawo muromo pamusana pake, nokuti zvavasati vambotaurirwa zvavo ndozvavachaona nezvavasina kumbonzwa ndizvo zvavachazonzwisisa.” “Ndiani angatende rondedzero yezvatakaudzwa? Uye ndiani akaratidzwa simba roruoko rwaTenzi? Pamusana pokuti akakura pana Mwari sebukira romuti uye somudzi unotungira pavhu rakaoma. Akanga asisina chimiro, chokuti munhu kana kwavo nechingayemurike paari, zvokuti tingambotarisawo zvedu kwaari, asisina kana runako rwokuti tiitewo mwoyo wokumuda. Akashorwa akarambidzanwa navanhu iye munhu wokutambura munhu anoziva nhamo uye somunhu wokuti vanhu vakamutarisa vanotofuratira zvavo. Akazvidzwa tikatadza kumuyemura. “Asi chaizvoizvo, nhamo dzaakatakura, dzaiva nhamo dzedu uyewo matambudziko aakatakurana nawo aiva matambudziko edu. Asi isu takatomuona somunhu ari kuzvamburwa nokurohwa naMwari achitambudzwa. “Akabayirwa zvitadzo zvedu akakuvadzirwa uipi hwedu, kurangwa kwaakaitwa ndokwakatiponesa, shamhu dzaakarohwa dzakaporesa isu. Tose zvedu takanga taita sehwai dzakarasika mumwe nomumwe wedu atetereka nenzira yake, Tenzi akaisa zvitadzo zvedu zvose paari. Akaoneswa nhamo akabatiswa ndondo, asi haana kana kumboti muromo bufu; sehwayana akatungamidzwa kundourayiwa sokunyarara kwehwai inenge ichivewurwa makushe saizvozvowo haana zvake kumboti muromo bufu. Vakaita zvokumumanikidza vakamupinza dare ndokumutora voenda naye. Ivo vechizvarwa chokwake pane akamboita hanya nazvo here zvokuti akadimurirwa upenyu munyika yevapenyu achiponderwa zvitadzo zvavanhu vangu? Vakamuitira guva rake mukati mavaipi, uyewo nomupfumi parufu rwake; kunyange zvazvo akanga asina utsinye hwaakanga aita, uye kunyange zvazvo unyengedzi pamuromo pake pakanga pasina.” Asi kuti chaive chiri chido chaTenzi, kumurwadzisa ndiye akamupa nhamo. Nokuzvipira kwaakaita kudaro somupiro wokupfupira zvitadzo achaona zvizukuru zvake, achaita kuti mazuva ake awande. Zvinodiwa naTenzi zvichabudirira zviri mumaoko make. Achaona mubayiro wezvaakatamburira iye pachake agogutsikana. Noruzivo rwake iye muranda wangu, mururami achaita kuti vazhinji vazonzi varurami, ndiye achatakura zvitadzo zvavo. Naizvozvo ini ndichamupa mugove mukati mavakuru vakuru, achakamurirana navane simba zvinhu zvinenge zvapambwa nokuti akazvipira kufa akaverengerwa pamwechete navatadzi akatakura zvitadzo zvavazhinji achinamatira vatadzi. “Imba zvako iwe usina mbereko iwe usina kumbobereka denhura rumbo upururudze iwe usina kumborwadziwa napamuviri nokuti vana vako iwe wakasiyiwa vachawanda kupfuura vana veakaroorwa ndizvo zviri kutaurwa naTenzi. Kudza-kudza tendhe rako udhadhanure machira emaunogara okudzikatirisa usaregedze zvako rebesa tambo dzako, hoko dzako ngadzinyatsoti ndendende kusimba, nokuti uchatekeshera uku nouku zvizvarwa zvako zvichatonga marudzi avanhu, maguta ava matongo vachaaita misha yavo. “Rega zvako kutya nokuti hausi kuzombonyara, rega zvako kutenderedzwa musoro nazvo nokuti hausi kuzombonyadziswa pamusana pokuti zvakakunyadzisa uchiri mudiki, uchatozvikanganwa uye kushorwa kwako pamusana pouchirikadzi hausi kuzombokuyeuka; nokuti Musiki wako ndiye murume wako Tenzi wehondo nehondo ndiro zita rake iroro, uye Anoera weIsiraeri ndiye Mununuri wako iye anonzi Mwari wapasi pose. Ndinodaro nokuti Tenzi achakudaidza somudzimai akanga arambwa akashungurudzwa mwoyo somusikana akabvisa jaya mugota paanenge zvino adzingwa, ndizvo zviri kutaurwa naMwari wako. Ndakambokuti furatirei kwechinguva, asi nengoni dzangu dzakawanda kudai ndichakuunganidzai. Nokungoti virukei kwechinguva kwandakanga ndaita nehasha, ndakakupa gotsi. Asi norudo rusingaperi ndichakunzwira tsitsi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mununuri wako. “Ndinodaro nokuti kwandiri ini, mazuva ano iwaya achaita semazuva aNowa andakatsidza kuti mafashamo aNowa haafaniri kuzombovazve panyika. Nokudaro ndinotsidza kuti handichazombokushatirirwazve kana kuzombokutsiudzazve. Ndinodaro nokuti makomo angabve zvawo paanenge ari, zvikomo zvikatozunguzika zvazvo; asi mwoyochena wangu kwauri iwe, hauzombobva uye chitenderano changu newe, chorugare, hachizombozunguziki ndizvo zviri kutaura Tenzi ane rudo newe.” “Nhai nyakuoneswa ndondo iwe wokutututswa nedutu remhepo iwe wakashaya anokunyaradza! Chiteerera unzwe ndichagadzikira nheyo dzako pamatombo anokosha eandimoni ndichikuvakira ugaro hwako wamatombo anokosha esafaya. “Zvisuvi zvako ndichazviita nematombo anokosha eageti misuo yenyu mikuru ndichiita nematombo anokosha ekabhinikuru rusvingo rwako rwese ndichiruita namatombo anokosha. Vana vako vose vachadzidziswa naTenzi, vana vako vachapfuma zviya zvokupfuma zviya. Kururama ndokuchava hwaro zvokudzvanyirirwa zvichava kure newe nokuti unenge usisatye. Umbwende huchava kure newe nokuti haumboswedera pedyo newe. Chinzwa, kudenha vanhu vachakudenha, asi zvinenge zvisingabve kwandiri. Anenge adenhana newe uchamukandisa mapfumo pasi. Chinzwa unzwe, kana dziri mhizha dzezvoutare izvi dzinovhutira moto wemazimbe nemvuto dzichipfura zvombo zvokurwisa nazvo zvokushandisa mabasa akasiyana-siyana, ndini ndakadzisika ndiniwo ndakasika marudzi anoparadza acho. Hakuna chombo chokurwisa chichagadzirirwa iwewe chichakwanisa kuita basa racho, uye uchakonesa munhu wese anenge akukwirira dare. Iyoyi iyi ndiyo nhaka yevaranda vaTenzi uye ndokuvatsigira kwandinoita.” Ndizvo zviri kutaurwa naTenzi. “Imi mose mune nyota uyai kumvura kunyange musina mari uyai zvenyu mutenge mudye! Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari. Chamunopedzera mari chiiko muchitenga zvisiri chokudya muchifondoka kushandira zvinhu zvisingagutse chii? Nyatsonditeererai mugodya zvakanaka mugozvibaya zvenyu nokudya zvakakora. Tetekerai nzeve, muuye kwandiri, munzwe muzviponese. Ndichaita chitenderano changu nemi chokugara nokugara. Izvozvo uri mwoyochena wangu kuna Dhavhidhi, chaiwoiwo wechokwadi. Sezvamunongoonawo kuti ndakamuita kuti ave sechapupu kumarudzi avanhu nashe nomutungamiriri wemarudzi evanhu. Zvamuchione muchadaidza dzindudzi dzavanhu dzamusingazive, ndudzi dzavanhu vasingakuzivei dzichamhanyidzana kwamuri, achadariso ndiTenzi, Mwari wako naiye Anoera weIsiraeri nokuti ndiye akupai mbiri.” “Tsvagai Tenzi achiri kuwanika, daidzai kwaari achiri padyo. Wakaipa ngaasiye nzira yake, asina kururama asiyane netwaanofunga, adzokere kuna Tenzi kuitira kuti amunzwire tsitsi, adzokere kuna Mwari wedu nokuti anomuregerera chaizvo. Ndinodaro nokuti mafungiro angu haasiriwo mafungiro enyu, kana iwo maitiro enyu haasiriwo maitiro angu.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti sezvakangoita matenga kuti ari pamusoro nyika iri pasi ndizvo zvakangoitawo maitiro angu kuti ari pamusoro pamaitiro enyu uye ndangariro dzangu dziri pamusoro pendangariro dzenyu. “Nokuti sezvinongoita mvura nechando kunaya zvichibva mudenga zvisingambodzokerako zvisina kudiridza nyika zvichiita kuti imerese nokutumbutsa, ichipa mbeu kuna anodyara nechokudya kuna anodya, ndizvo zvakangoitawo shoko rangu rinobva mumuromo mangu, haridzokeri kwandiri risina charinacho asi richatoita zvandinenge ndati riite richibudirira kuita zvandinenge ndarituma kuita. “Ndinodaro nokuti kubuda kwamuchaita muchabuda norufaro mugonyatsoperekedzwa murugare. Makomo nezvikomo, pamberi penyu zvichadandaura kuimba, miti yose yesango icharidza makwa. Painge pachimera minzwa pachazenge pomereswa misaipurasi painge pachimera rukato pachazenge pomereswa migwavha. Izvozvi izvi kuna Tenzi zvichava sechiyeuchidzo, zvichiva mucherechedzo wokugara nokugara usingazombobviswa.” Zvanzi naTenzi, “Itai zvinhu noruenzaniso muite zvakarurama nokuti kukuponesai kwangu kwava kutosvika uye kukununurai kwangu kwava kutoratidzwa pachena. Akakomborerwa hake munhu anoita izvozvi uye nomunhu anozvibatisisa anochengeta Sabata asingarin'orese, asina twaanobata-bata.” Mutorwa akazvibatanidza naTenzi ngaarege kuti, “Tenzi achakaronditsaura muvanhu vake,” uye muyuniki ngaarege kuti, “Pangu pano ndiri aniwo zvangu muti zvawo wakaoma.” Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi, “Vayuniki vanochengeta maSabata angu vachisarudza kuita zvandinoda vachichengetedza chitenderano changu, ndichaita kuti pave nechimwe chinovakwa chokuyeuka nacho zita ravo mukati memba yangu nomukati metsvingo dzangu chinokunda kuva navana vakomana kana vasikana, Ndichavapa zita risina mugumo risingatsakatiki.” Vatorwa vose vanozvibatanidza neni Tenzi nokundishandira vachida zita reni vachiva varanda vangu, vose zvavo vanochengeta masabata vasingaan'oresi vachichengetedza chitenderano changu, ivava ndichavaunza kugomo rangu rinoera ndigovaita kuti vafare muimba yangu yokunamatira. Mipiro yavo inopiswa nezvibayiro ndichazvigamuchira paatari yangu nokuti imba yangu ichanzi imba yokunamatira yamarudzi ose avanhu Naizvozvo zvanzi naTenzi, Mwari “Iye anounganidza vaIsiraeri vakadzingwa ini ndichaunganidza kwavari vamwewo vanhu vandinenge ndisina kuunganidza.” “Imi zvikara zvesango uyai mudye, uyai zvenyu imi zvikara zvomudondo. Vatariri vake mapofu, zvokuziva havazivi zvimumumu chaizvo zvembwa. Havagoni kuhukura vanotorotomoka zvavo, chavo kurara chete vachinakirwa nehope. “Imbwa idzi dzina makaro, hadzimboguti, ndivava vafudzi vacho vasinganzwisisi, vose vachiti uyu nenzira yake, uyu nenzira yake mumwe nomumwe achizvitsvagira upfumi, vose zvavo. Vanototaurirana zvavo vachiti, ‘Handei tinotsvaka waini, handei tinodutira hwahwa, mangwana nyaya ndiyo ndiyo, zvinenge zvisingambotauriki kuwanda.’ ” Mururami anoparara zvake pasina anombozviitirawo hanya, vanamati chaivo vachitorwa pasina anozvinzwisisa, nokuti vakarurama anobviswa munhamo, opinda murugare, vazorora zvavo pamibhedha yavo, ivo vanofamba muururami. Asi imi swederai kuno vana vana amai varoyi, vana vemhombwe nepfambi. Ndiani wamuri kuita zvokutamba naye kudai? Muri kugarira kutaura nani, muchitoraputsa rurimi kudaro, Hamusi vana vomusango here? Imi vana vounyengedzi, iyemi munobayiwa noruchiva muri mukati memioku pasi pemiti yose yakasvibira, imi munoita vana venyu zvibayiro mumapani mumikaha yamatombo? Chenyu imimi ihurungudo dzomubani. Ndidzo dzamunonamata. Kwandiri idzodzo ndidzo dzamunopira mupiro wokuteura muchiunzako mupiro wembesanwa. Ndozvingandinyevenutse mwoyo here izvozvo? Pagomo refu, panhungamakore yegomo, ndipo pamava kuita sapauriri hwenyu hwoupombwe. Ipapo ndopamunokwira kundopira zvibayiro. Kuseri kwegonhi napagwatidziro wakazviisira chokuratidza nacho kuti undifuratire. Wakafugura uriri hwako ukakwira pahuri ukahukudza-kudza ukatozvitengesa zvako kwazviri ukatorwa mwoyo nouriri hwavo, ukatozviyeva zvako zviri mutwi kudaro. Munoenda imi kundonamata Moreki muina mafuta, muchivirikidza kuzora mafuta anonhuwirira; munotuma nhume dzenyu kure zvokuti vanotodzika kwazvo kunyange nokuNzvimbo yeVachakabvu. Wakareberwa nenzira iwe zvikakunetesa asi hauna kumbozviti, “Hazvina maturo.” Wakatozvigwinyisa nokudaro hauna kufizuka. “Kunyeba kwawakaita wawaitya ipapa ndiani uchitadza kundiyeuka kana kutombondifunga zvako? Handina kunyarara zvangu here kwenguva ndefu chaiyo, ndokusaka usisandityi nhai? Ndichafumura ururami hwako ihwohwo nezvaunoita iwe asi hazvina zvazvichakuyamura. Kana woridza mhere iro zanzwe rako rezvifananidzo zvokunamata ngarikununure. Zvichatututswa nemhepo, zvichapupurutswa nemwando. Asi anopotera kwandiri ndiye achava muridzi wenyika, gomo rangu rinoera iri achiriita nhaka yake.” Zvichazonzi, “Pangurai pangurai, mugadzire nzira mubvise zvose zvingapingaidze vanhu vangu munzira,” nokuti zvanzi naNyadenga iye Wokumusorosoro iye Chidzachepo ane zita rokuti Anoera, “Ndinogara kumusoro munzvimbo inoera, uye ndinogarawo navane mwoyo wakapinduka vano mwoyo wokuzvirereka kutimutsurudza mwoyo wavanozvidukupisa nokumutsurudza mwoyo yavanhu vanenge vatendeuka. Ndinodaro nokuti handicharamba ndichingovapa mhosva kana kuramba ndakangovashatirirwa, nokuti kwandiri ini ndokunobva mweya, ndini ndakasika mweya wacho unofema. Pamusana pemhosva yoruchiva rwake uyu ndakashatirwa, ndikamurova ndikafuratira ndakashatirwa. Asi iye ndopaakatoomesa gotsi achiita zvake zvomusoro wake. Ndakaona hangu kuita kwake asi ndichamuporesa ndichamutungamirira ndigomupa mubayiro wokugarika ndichiita kuti pamiromo yavanoungudza pabude mipururu yokurumbidza Zvanzi naTenzi, ‘Imi vokure nemi vapadyo, ndinokupai rugare, rugare chairwo, ndichakuporesai.’ Asi vakaipa vakaita samasaisai egungwa asingagarikike pasi; mvura yaro haigadzikani inobvundura nhope netsvina, vakaipa havana rugare,” ndizvo zviri kutaurwa naMwari wangu. “Taurisa, usamborega zvako daidzira nezwi sebhosvo uparidze kuvanhu vangu kukanganisa kwavo utaurire vemba yaJakobho zvitadzo zvavo. Kunyange zvavo vachinditsvaga, vachinditsvaga zuva nezuva, vachidisisa kuziva makwara angu sokunge rudzi rwavanhu vanoita zvakarurama uye vasina kukanda pasi murao weni Mwari wavo; vanotodawo kuti ndivape mitemo yakarurama vachidisisa kwazvo kuuya padyo neni Mwari Vanoti, ‘Chatinotsanyira chii, imi musingazvioni? Chii chaizvo chatinoitira zvinhu zvokuzviramba, imi musingamboita hanya nazvo?’ Tarisai muone, musi wokutsanya kwenyu munotozvitsvagira zvokuzvifadza nazvo muchionesa ndondo vose vanokushandirai. Kutsanya, hongu munotsanya, asi uku muchipopota nokurwa nokurova vamwe nezvibhakera. Kutsanya sokwenyu uku nhasi uno hakuite kuti zvichemo zvenyu zvinzwike kuna wokumusoro. Ikoku ndokutsanya kwandinoda here, musi wokuti munhu azvirereke? Kungorerekedza musoro pasi senhokwe here, kana kutora masaga nedota ozviita ndozvokuwarira? Ndokwamungati kutsanya ikoku uye kuti ndozuva rinofadza Mwari iroro? “Ko kutsanya kwandinoda hakusi uku here kwokusunungura majoto ouipi nokukurura zvitirobho zvejoko nokusunungura vanenge vachidzvinyirirwa vagoenda zvavo nokutyorawo joko rose rose zvaro? “Hakusi here kugoverana chokudya chako neane nzara nokupinza mumba mako varombo vanongodzungaira nenyika, ukaona asina chokupfeka uchimupawo chokupfeka usinganzvengi kuyamura hama yako? “Ipapo chiedza chako ndopachichanyatsochena samambakwedza, wobva wazokasika kurapwa. Ururami hwako ihwohwo huchazokutungamirira, uchiperekedzwa mushure nembiri yaTenzi. “Kana ukazonamata, Tenzi achakupindura, kana ukadaidzira iye anoti ndiri pano. Kana pakati penyu mukakanda pasi joko rokudzvinyirira nokunongedzerana munwe nokutaura zvakaipa uye kana ukawanisa vane nzara chokudya uchipedza nhuna dzavatamburi, chiedza chako ndopachichanyatsoti ngwe-e kuvheneka murima, rima rakakupoteredza richazoita samasikati machena. Tenzi achakutungamirira nguva dzose zvadzo achikugutsa nezvakanaka achikusimbisa iwewe pachako ugoita sebindu rine mvura yakawanda sechisipiti chemvura isingapwi. Pamatongo enyu pachavakwazve, muchamutsazve ugaro hwedzimba dzapasi chigare; uchazonzi mugadziridzi wezvakapazika, mugadziridzi wemigwagwa yepokugara. “Kana ukatsaukana neSabata worega kuita zvaunoda pazuva rangu rinoera, wava kuti Sabata, izuva rinofadza, uyewo wava kuti zuva rinoera raTenzi rinoremekedzeka, kana ukariremekedza usingaite zvomusoro wako uchiita zvaunoda uchidya zvako nyaya. “Ipapo Tenzi achava rufaro rwako, panyika ndichakuita kuti uve wapamusorosoro chaipo ndichiita kuti udye, nhaka yababa vako Jakobho nokuti ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.” “Teerera unzwe, ruoko rwaTenzi runoponesa; haruna kupera simba, zvokuti haachagona kuponesa nzevewo dzake dzinonzwa hadzina kudzivira. Asi kutoti uipi hwenyu ndihwo hwakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvikavanza uso hwake kwamuri zvokuti haachambokunzwai, nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, uye minwe yenyu nezvakaipa, uye miromo yenyu nokureva nhema, rurimi rwenyu runotaura zvakaipa. “Hapana anokwirira mumwe kumatare mhosva chaiyo yechokwadi, hapana anonyatsotevedza zviri pamurao. Vanovimba netwaanotaura tusina maturo vachireva nhema zvavo. Vanodyara misikanzwa vachizokohwa zvakaipa. Vanochechenya mazai echiva, vanoruka dandadzi, anodya mazai azvo, anofa, rinenge rangochochonywa chete, munobva mabuda mvumbi. Madandadzi avo iwayo haangamboshandiswa sembatya, vanhu havangambopfeka zvinenge zvarukwa nawo. Twavanobata ivo tunhu twouipi chete, mabasa avanobata namaoko avo ndeoutsinye. Zvakaipa ndozvavanomhanyirira, vanofatira kudeura ropa ravanhu vasina mhosva. Uipi ndohwavanoswerofunga, migwagwa yavo mikuru vanosiya yangove matongo noumharadzi. Chinonzi rugare havachizive, maitiro avo haana ruenzaniso, mafambiro avo akakombama, anodimura nemariri rugare haamborunhuwa. “Heya ndokusaka ruenzaniso rwava kure kwazvo nesu kudai ururami uhu hatichambohunhuhwa. Patinotarisira kuwana mwenje tinongowana hero rima, pototi tiwanewo chiedza ndopatava kufamba muzarima. Tinotsvanzvadzira madziro samapofu tichiputaira savanhu vasina maziso. Tinodzadzarika masikati machena sokunge manheru, pakati pavanhu chaivo vakasvika, isu tinenge zvitunha. Tose tinobongomora sezvitsere, tinouura nokuura senjiva tichitarisirawo kuwana ruenzaniso asi ruenzaniso hapana tichitarisirawo ruponeso asi ruri kure kwazvo nesu. “Nokuti zvatakanganisa pamberi penyu zvawanda, kutadza kwedu tinokuziva, nokuti zvatakakutadzirai tinazvo mumwoyo, mhosva dzedu tinodziziva. Ndedzidzi dzinoti: kukukanganisirai, nokukurambai imi Tenzi, nokukupai gotsi kwatinoita tichifuratirai imi Mwari wedu nenyaya dzoutsinye kudyara mhodzi youmhandupandu, mumwoyo'mu, dziri nyaya dzemakuhwa. Ruenzaniso runonzi kure narwo, ururami hwava kumirira kure nesu nokuti chokwadi, pamatare, hapasisina, kutendeka kwapata. Hapana kwaunowana chokwadi anenge angoti regai ndisiyane nouipi ndiye anobva atopinda mupfumvu.” Tenzi akazviona uye hazvina kumufadza kuti hapana ruenzaniso. Akaona kuti pakanga pasina kana munhu zvake, akashamiswa kuti pakanga pasina angarandutsire. Ipapo simba roruoko rwake rakamuwanisa kukunda, ururami hwake huchimutsigira. Akapfeka ururami demautare rokuzvidzivirira naro muhondo noruponeso senguwani yesimbi, akapfeka kutsividza sehanzu dzokupfeka akazviputira nehasha somunhu afuka jira. Achavatsividza maererano nezvavakaita mhandu dzake achidzionesa hasha, vavengi vake achivatsividza. Nyika dzokumahombekome kwegungwa achadzitsividza. Naizvozvo vachatya zita raMwari kubva kumadokero, iyo mbiri yaMwari kubva kumabvazuva nokuti achauya sakakova kazere kanenge kachitututswa nemhepo yaTenzi. “Achauya kuZioni soMununuri, kune vokwaJakobho vanenge vadzoka vasiyana nezvitadzo, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.” Tenzi anoti, “Kana ndirini, chitenderano changu navo ndechichi chokuti, Mweya wangu uri pauri namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvifaniri kumbobva pamuromo pako uye hazvifaniri kubva pamuromo pavana vako kana pamuromo pavana vavana vako kubvira zvino kusvikira narini wose,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi. Chisimuka uti ngwe-e kuvheneka nokuti chiedza chako chasvika uye mbiri yaTenzi yapenya pamusoro pako nokuti tarisa uone nyika ichanzi kwidiba nerima, vanhu vachanzi nezarima gude gude. Asi pauri Tenzi achanyatsoti ngwe-e, mbiri yake ichaonekwa pauri. Vechirudzi vachauya kuchiedza chako, madzimambo achauya kuchiedza chako chinenge chasimuka. Simudzai musoro mutarise uku nokuku muone, vose vari kuunganidzana vari kuuya kwauri, vanakomana vako vari kuuya vachibva kure, vanasikana vako vakaita zvokutakurwa mumaoko. Ipapo uchazviona ugomwekuma kufara, mwoyo usingagoni nokufara nokuti upfumi hwose hwegungwa hunenge hwonanga kwauri upfumi hwevechirudzi huchauya kwamuri. Mauri muchava nebvakapfaka renghamera, nghamera dzichine simba dzokuMidhiani nokuEfa nedzose dzinobva kuShebha dzichakotonoka. Dzichauya nendarama norusenzi, dzichadhumisa mbiri yaTenzi. Matanga ese ezvipfuwo zvokuKedhari achakurumukira kwauri, hondohwe dzokwaNebhaoti ndodzichava dzebasa rokupira kwako. Dzichave dzinogamuchirika paatari yangu, ndichapa mbiri kuimba yangu inomukurumbira. Ko avo ndivanaani avo vanopepera sekaguti, sehangaiwa dzananga pamusuo padzo? Ndinodaro nokuti nyika dzokumahombekombe kwegungwa uku dzichandishandira, kutanga nengarava dzokuTashishi dzichiuya navana vako dzichibva navo kure kure vakatakura sirivha yavo nendarama zvokurumbidza nazvo zita raTenzi, Mwari wako, iye Anoera weIsiraeri nokuti akakupa mukurumbira. Vatorwa zvavo ndovachakuvakira tsvingo dzako, madzimambo avo ivo ndoanenge otokushandira iwe. Ndakakuranga pamusana pokushatirwa kwandakanga ndaita, asi zvino pamusana pemwoyochena wangu ndava kukuitira tsiye nyoro. Misuo mikuru yako ichangogara yakazaruka siku nesikati, kuzarirwa isingazarirwi kuitira kuuya kunenge kuchiita vanhu kwauri noupfumi hwevechirudzi, vachitungamirirwa namadzimambo avo. Zvichavepo ndezvokuti rudzi kana nyika inenge isingakushandirei ichaparara, marudzi iwayo achanyatsotsakatiswa. Mbiri yacho yeRebhanoni inoti: misaipurasi nemipureni nemipaini iyoyo, ichauya kwauri kuzoshongedza pamana pangu paNzvimbo yangu Inoera ndichiita kuti mandinotsika ini netsoka dzangu mukurumbire. Vana vavaikudzvinyirira vachauya kwauri vachisvikoti pasi kota kota, vose zvavo vaikushorai vachasvikoti pasi gwadagwa patsoka dzako. Vachakutumidzai zita rokuti, Guta raTenzi, Guta reZioni raiye Anoera weIsiraeri. Wakanga wafuratirwa uchivengwa pasisina kana neachadimura namauri, zvino ndichakuita guta rino mukurumbira narini narini richange riri rinofadza pachizvarwa nechizvarwa. Uchayamwa mukaka wevechirudzi uchayamwa mazamu amadzimambo ndopauchaziva kuti ini Tenzi, ndini Muponesi wako, iye Mununuri wako iye Samasimbaose waJakobho. Ndichakuigira ndarama panzvimbo pendarira ndichikuigira sirivha panzvimbo pesimbi panzvimbo pamapango, ndarira panzvimbo pamabwe, simbi. Rugare ndorwandichaita kuti ruve somutariri wako, ururami hurihwo mushandisi wako pabasa. Manyongori haachazombonzwikizve munyika mako. Umharadzi nokuparadza kwose hazvichazombonzwikizve munyika yakatenderedzwa nemiganhu yako. Tsvingo dzako uchadzitumidza zita rokuti Ruponeso, misuo mikuru yako zita rokuti Kurumbidza. Chichakuvhenekera masikati harisi zuva nechichakuvhenekera usiku unenge usisiri mwedzi, asi kuti ini Tenzi ndini ndichava chiedza chako narini wose. Ini Mwari wako ndini ndichava mbiri yako. Kwauri iwe zuva harizombodoka kana iwo mwedzi kwauri iwe hauchazombonyura nokuti ini Tenzi ndini ndichakuvhenekera narini wose. Mazuva ako okuchema achabva apera. Vanhu vako vose zvavo vachave vakarurama, nyika ichava yavo nokusingaperi, ivo bukira rangu randakasima namaoko angu kuti ndigorumbidzwa. Mudikidiki pavari ndichaita kuti ave dzinza chairo, mudukuduku pavari achiva rudzi rwavanhu rukuru. Ndini Tenzi, panguva yayo ndichakurumidza kuzviita. Mweya waTenzi Mwari uri pandiri nokuti Tenzi akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuzonyaradza vakasuruvara mwoyo, nokuparidzira vari muutapwa rusununguko, nokusunungurwa kwavari muusungwa uye kuparidza kuvanhu gore raTenzi retsiye nyoro nezuva raMwari wedu rokutsiva nokunyaradza vose vanochema kuti ape vanochema muguta reZioni chiremba chokufara chamaruva panzvimbo pamadota okusuwa, mafuta amafaro pachinzvimbo chenhamo yokuchema avape hanzu dzokurumbidza nadzo panzvimbo pokuora mwoyo. Vachatonzi miti yemioku yoururami yakasimwa naTenzi kuti agorumbidzwa. Vachavakazve pamatongo akare vachamutsurudza zvinhu zviya zvakanga zvati pasi mbombombo. Vachagadziridzazve maguta akanga aparadzwa akanga aita matongo kwezvizvarwa nezvizvarwa. Vauyi zvavo ndovachava vokukufudzira zvipfuwo, vatorwa ndovachava vokukurimirai minda nevokukuchengetedzerai minda yamagirepisi. Asi imimi muchanzi vapristi vaTenzi, vanhu vachakutii vashandiri vaMwari wedu. Muchatodya upfumi hwevechirudzi muchiwana zvenyu mukurumbira noupfumi hwavo. Panze pokuti munyare muchatopiwa mugove wakapetwa, kaviri. Panze pokunyadziswa muchafara nomugove wenyu. Naizvozvo munyika menyu imomo mugove wakapetwa kaviri uchange uri wenyu chenyu imi chichava rufaro rwokugara nokugara. “Ndinodaro nokuti ini Tenzi ndinoda ruenzaniso, zvokupamba vanhu ndinozvivenga, ndinovengawo zvokuita zvakaipa. Ndichavapa mubayiro wavo chaivo, ndichaita chitenderano navo chokugara nokugara. Zvizukuru zvavo zvichanyatsozivikanwa mukati memarudzi evanhu, navana vavo mukati mavanhu vose. Vose vachavaona vachabvuma kuti vanhu vakakomborerwa naTenzi.” “Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari wangu nokuti akandipfekedza hanzu dzoruponeso, akandifukidza nehanzu dzokururama sokuzvipfekedza kunoita murume anenge achichata uye sokuzvishongedza nezvishongo kunoita musikana ari kuchata. Sezvinongoita nyika inomeresa mabukira, uye sezvinongoitawo bindu kumeresa zvinenge zvadyarwamo ndizvozvowo zvinoita Tenzi Mwari, anoita kuti ururami nomukurumbira zvitungire, marudzi ese zvawo evanhu achiona.” Pamusana peZioni, handimbonyarara kutaura. Pamusana peguta reJerusaremu handimbozorora kusvikira kupembedzwa kwaro kwajeka sechiedza, ruponeso rwaro rwanyatsovhenekera semwenje. Marudzi avanhu achaona kupembedzwa kwako, madzimambo ose achaonawo mbiri yako. Iwe uchadaidzwa nezita idzva rauchatumidzwa naTenzi nomuromo wake. Uchave ndaza yakanakisisa muruoko rwaTenzi, nenyembe youmambo chaiyo muruoko rwaMwari wako. Iwe hauchazonzi, “Murambwi,” nyika yako haichazonzi, “Dongo.” Asi uchatonzi, “Wangu wapamwoyo,” nyika yako ichinzi, “Muroora,” nokuti Tenzi anofadzwa newe, nyika yenyu icharoorwa sezvinongoita mukomana anoroora mhandara, iye akakuvaka wacho achakuroora uye sokufarira kunoita mukomana mukadzi waaroora ndokukufarirai kuchaita Mwari wenyu. Pasvingo ako iwe Jerusaremu ndaisa vatariri, havambonyarara siku nesikati. Imi munoyeuka Tenzi kudai musazorore, musambomupa zvenyu zororo, kudzamara aita kuti guta reJerusaremu rimire ariita kuti rive nomukurumbira pasi pano. Tenzi apika norudyi rwake apika nesimba roruoko rwake kuti, “Handichambofa ndakapazve mbesanwa dzenyu kuti dzive chokudya chavavengi venyu uye vatorwa havasi kuzombonwazve waini yenyu yamakadikitira kushanda. Asi kutoti vanenge vaisa mbesanwa mumatura ndivo vachadzidya vachirumbidza Tenzi, vanenge vatanha magirepisi ndivo vachanwa waini yacho vari munhandare dzeNzvimbo yangu Inoera.” Pindai pindai nomumisuo mikuru gadzirirai vanhu mugwagwa, gadzirai gadzirai mugwagwa mukuru mubvisei mabwe musimudze mureza pamusoro pendudzi dzavanhu. Teererai munzwe, Tenzi ari kuzivisa vanhu kusvikira kwakaperera nyika. Itii kuguta reZioni, “Tarisai muone, ruponeso rwenyu rwava kusvika. Tarisai muone, mubayiro wake anawo, muripo wake ndiwo waanotungamidza.” Vachanzi vanhu, “Vanoera vaNyakununurwa vaTenzi” iwe uchinzi, “Wapamwoyo pavanhu guta risina kutizwa.” “Ndianiko uyo ari kuuya achibva Edhomu, akapfeka hanzu tsvuku dzeBhozira, akapfeka hanzu dzake dzemandiriri ari kukanyaira achigwanha kwazvo zvine simba pamusana poukuru hwake? Ndini iyeni! Ndiri kuzivisa vanhu zvokukurira kwangu, ini Changamire wokuponesa. “Ko idzo hanzu dzako kutsvuka kudai chii? Sei mbatya dzako kubva dzaita somunhu anga achisvina waini kudai muchisviniro? Ndasvina ndoga waini muchisviniro, pasina mumwe wavanhu aiva neni. Ndakavatsika-tsika ini nehasha ndichivatsokodzera ndakashatirwa; ropa ravo rinovararamisa rakadeukira pahanzu dzangu, ndokusaka mbatya dzangu dzose dzatsvuka ropa kudai. Ndinodaro nokuti zuva rokutsividza, ndakanga ndinaro mumwoyo uye gore rangu rokununura rasvika. Ndakatarisa wanei wokundibatsira hapana zvakandishamisa kuti pakanga pasina wokunditsigira, saka kukurira kwandakaita isimba roruoko rwangu ndichitsigirwa ini nehasha dzangu. Nehasha dzangu ndakatsokodzera vanhu, ndudzi dzavanhu dzikaita sedzadhakwa ndikadeurira pasi ropa ravo rinovararamisa.” Ndichadetemba kurumbidza mwoyochena waTenzi, mukurumbira waTenzi nokuona zvose zvatawaniswa naTenzi nezvose zvakanakisisa kwazvo zvaakaitira vemba yaIsiraeri zvaakadai kuvapa netsitsi dzake nomwoyochena wake wakanyanya kukura kudai, nokuti anoti, “Vanhu vangu ava, vana vasina zvounyengedzi,” nezvo akava Mununuri wavo. Nhamo yavo yose yavakaona yaivawo nhamo yake, uye mutumwa wokuvapo kwake ndiye akavaponesa, akavanunura norudo rwake uye netsiye dzake nyoro, akavasimudza akavatakura mumazuva ose akare. Asi ivo vakapanduka vakashungurudza Mweya Mutsvene wake, ndokusaka iye akavapindukira oita somuvengi wavo, iye pachake ovarwisa. Ndipo paakarangarira mazuva akare aye, mazuva omuranda wake Mosesi. Aripiko chaizvo nyakunyurura mugungwa, mufudzi wedanga rezvipfuwo zvake? Aripiko akaisa Mweya Mutsvene wake mukati mavo, akaita kuti simba reruoko rwake rivewo kurudyi rwaMosesi akaparadzanisa mvura pamberi pavo achiitira kuti azviwanire zita rinogara nokusingaperi? Iye akavatungamirira nomuhwenje. Vakafamba vasingadzengedzeke sezvinoita bhiza risingadzengedzeke murenje. Sokutungamirirwa kunoitwa zvipfuwo kubani, Mweya waTenzi wakavapa zororo, saizvozvo makatungamirira vanhu venyu mukazviwanira zita rine mukurumbira. Tarisai pasi muone muri kudenga ikoko, muri munzvimbo menyu mamunogara munoera mune mbiri. Shungu dzenyu nesimba zviripi? Ko inga rudo rwenyu netsitsi dzenyu, kwandiri hapasisina. Inga ndimi baba wedu wani kunyange Abhurahamu asingatizivi uye kunyange zvazvo Isiraeri, asingatitore sevana vake, imi Tenzi ndimi Baba vedu, Mununuri wedu, kubvira kare nakare, iroro ndiro zita renyu. Nhai Tenzi munoitirei kuti titsauke panzira dzenyu tiomese mwoyo zvokutotadza kukutyai? Dzokai zvenyu pamusana pevaranda venyu vemadzinza enhaka yenyu. Kwekanguva kadiki Nzvimbo yenyu iyi Inoera yanga iri mumaoko mevanhu venyu, vavengi vedu vakatoitsokodzera zvavo pasi. Isu tangoitawo sevanhu vamusina kana kumbotonga zvenyu savanhu vasingadaidzwe nezita renyu. Dai mabvurura matenga mukaburuka pasi pano, makomo angandengendeke nokuvapo kwenyu imi, sokubvira kunoita tsotso, sokufashaidza mvura kunoita moto kuti zita renyu rizivikanwe nevavengi venyu, marudzi adedere pamusana pokuvapo kwenyu. Inga wani makaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisingatarisiri. Makaburuka pasi makomo akandengendeka pamusana pokuvapo kwenyu. Kubvira pasichigare hazvina kumbonzwika kana kupinda munhu munzeve kunyange ziso zvaro rati ramboona mumwe Mwari kunze kwenyu imimi, anoitira zvakadai vanotarisira kwaari. Munosanganawo naanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu imi. Handiti makashatirwa, isu tichikutadzirai tagarisa muzvitadzo zvedu zvino tichaponeswawo here iyesu? Tose zvedu isu, tangova somunhu akan'ora. Zvose zvazvo zvoururami zvatakaita zvava kunge hanzu dzakatindivara. Tose tabhuruvara seshizha. Zvino uipi hwedu uhu hunotipupurutsa semhepo. Hakuna kana nomumwe achiri kunamata zita renyu kana anombonzwawo shungu yokuti abatirire pamuri, nokuti makazvihwandisa kwatiri ndokubva matiti kuche kuzvitadzo zvedu. Asi imi Tenzi, ndimi Baba wedu. Isu tiri ivhu rokuumbisa imi ndimi muumbi wedu tose zvedu tiri basa ramakaita imi namaoko enyu. Tenzi regai zvenyu kubva matoshatirwa mukadaro. Regai zvenyu kuramba mongorangarira zvakaipa nokusingaperi. Tonderai inga wani tose tiri vanhu venyu. Maguta enyu anoera angova renje zvaro, guta reZioni rava renje chairo, Jerusaremu rave dongo. Imba yedu iyi inoera yakanakisisa kwazvo mamairemekedzerwa nemadzibaba edu yakaroromeswa nomoto. Nzvimbo dzedu dzose dzakanaka dzangova matongo zvawo. Zvino moramba makangotarisa zvenyu here zvinhu zvakadai nhai Tenzi? Moramba makangonyarara zvenyu here muchitionesa nhamo inorwadza kudai? “Ndakanga ndakatomirira kuti nditsvakwe navanhu vasina kundibvunza. Ndakanga ndakamirira ini kuti vanhu vandiwane asi pakanga pasina. Ini ndaiti, ‘Ndiri pano, ndiri pano,’ kurudzi rusingambodaidza zvarwo zita rangu, ndichiswerotambanudzira maoko kumhandupandu dzavanhu, vanofamba nenzira isina kunaka vachiita zvavo zvomusoro wavo. Vanhu vanoramba vachindidenha ndiripo kudai, vachipira zvibayiro mumapindu vachipisira rusenzi pazvidhina. Vanhu vanogara kumakuva vachirara vari munzvimbo dzakavandika vachidya nyama yenguruve, nomuto wezvinhu zvakan'ora zviri mumidziyo yavo. Vanhu vanotozviti zvavo, ‘Mirira kure uko usaswedere pedyo neni nokuti kwauri ndinoera.’ Ivava kwandiri utsi zvahwo hunondipfungaidza mumhuno, zvichindipa mazaridzwa kunge moto unopfuta muswere wose. “Chinzwai munzwe chiga chemhosva yavo chakanyorwa ndinacho. Zvokunyarara, handinyarari, asi ndichavaranga. Honguka, ndichavaripisa kudzamara pachipfuva chaipo, pavanochengetera mari yavo. Ndichavaripisa uipi hwavo nouipi hwamadzibaba avo pamwechete,” ndizvo zviri kutaura Tenzi, achiti, “Ndinodaro nokuti vaindopisa rusenzi pamakomo vachindishonha pazvikomo. Ndichaona zvangu mwero wandichavatorera pachipfuwa pavo pavanochengetera mari ndichivaripisa zvavakaita kare.” Zvanzi naTenzi, “Sezvinongoitawo waini kuti inowanikwa muchitsumbu chamagirepisi, vanhu vachiti regai kuchiparadza nokuti machiri mune chikomborero izvozvi, ndozvineni, pamusana pavaranda vangu handisi kuzovaparadza vose. Ini ndichaunza zvizvarwa zvokwaJakobho, vari vedzinza rokwaJudha kuti vatore makomo angu ave avo, vasarudzwi vangu vagare nhaka nyika yavo ivava varanda vangu ndivo vachagara zvavo imomo. KuSharoni uku kuchava mafuro ezvipfuwo, nebani reAkori richava mafuro emombe, pamusana pevanhu vangu vanenge vachinditsvaga. “Asi imimi makafuratira Tenzi, imi makakanganwa gomo rangu rinoera, imi munotonamata zvenyu Gadhi, imi munozadza makapu emasanganiswa ewaini okuteura kuna Meni, chenyu imi chandakutemerai kufa muchiurayiwa namapakatwa, mose mucharakatiswa kufa, nokuti ndakakudaidzaika ini asi hamuna kudaira. Pandaitaura, hamunaka kuteerera. Zvandinoti zvakaipa ndozvacho zvamakatoita, muchisarudza zvenyu kuita zvinhu zvandisingadi.” Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Varanda vangu vachadya asi imi muchifa nenzara. Mazvinzwa! Varanda vangu vachanwa asi imi muchifa nenyota. Mazvinzwaka! Varanda vangu vachapembera nokufara, asi imi muchanyadziswa. Chinzwai munzwe, kuvaranda vangu achava makuwerere kuimba nokufara, asi kwamuri imi ichava misodzi chete kuchema muchirwadziwa mwoyo muchihwihwidza kuchema muchishungurudzwa mwoyo. Zita renyu imi richasara pakati pevasarudzwi vangu rava chokutukisa nacho vanhu. Tenzi Mwari achakuurayai asi varanda vake achavadaidza nerimwewo zita. Zvinenge zvava panyika ndezvokuti, munhu anenge ava kuda chikomborero, achakumbira kukomborerwa naMwari wechokwadi, neanenge oda kupika mhiko pasi pano achazopika naMwari wechokwadi. Ndinodaro nokuti nhamo dziye dzakare dzichange dzakanganwika dzisisimo mumaziso angu.” “Chionai kuti ndava kusika denga idzva nenyika itsva. Zvinhu zvakare zviya hazvichazoyeukwa kana kuuya hazvo mumusoro. Asi farai zvenyu mufare kwazvo nokusingaperi muchifarira zvandava kusika nokuti tarisai muone ndava kusika Jerusaremu rorufaro nevanhu varowo vari vanhu vakafara chaizvo. Ini ndichafarira Jerusaremu vanhu vangu ndichivafarira. Mariri hamuzonzwika izwi rokuchema kana kuridza mhere. Hamuna mucheche mariri achararama mazuva mashomanana, kana munhu achembera anodimurirwa panzira mazuva oupenyu hwake. Chinenge chotovepo ndechokuti mwana anotozofa asvitsa zana ramakore. Kunyange mutadzi kufa aine zana remakore runenge ruchitova rushambwa. Vanhu vachavaka dzimba vakatodzigara, vachisima minda yamagirepisi vachitozodyawo michero yayo. Havazomboti ivo vakavaka, mumwewo zvake ndiye ozogaramo, hazvisiri kuzombosima mumwe achizodya, nokuti vanhu vangu vachararama samakore anogara hunde yomuti. Vasarudzwi vangu ava vachasaraka chaizvo vachingofarira basa ravanoita ivo namaoko avo. Havasi kuzomboshandira pasina kana kuberekera vana vavo nhamo nokuti ivo nevana vavo vanenge vari vana vaTenzi, nyakurumbidzwa. Vasati vatombonamata ini ndinenge ndatopindura kare munamato wavo, ivo vachiri kutaura, ini ndinenge ndatozvinzwa. Mhumhi nehwayana zvichafura pamwechete, shumba inenge yofura sora semombe, nyoka ichange yodya guruva. Zvinenge zvisisakuvadze kana kuparadza mugomo rangu rose zvaro rinoera,” ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvanzi naTenzi, “Denga ndiro chigaro changu choushe, nyika iri iyo pokuisa tsoka dzangu. Imba yorudzii yamungandivakire, inzvimboi inganzi ndeyangu yokuzororera? Zvose izvozvi ndini ndakazviita noruoko rwangu? Ipapo zvose izvi ndezvangu ndizvo zviri kutaura Tenzi, asi munhu wandinocheuka munhu akadai izvi: munhu anozvidukupisa ane mwoyo wokutendeuka anodedera izwi rangu. “Zvavakati kuuraya mombe kwakafanana nokuuraya munhu kana kuti anoita hwai chipiro zvakafanana nokutyora imbwa mutsipa kana anopira mupiro wembwesanwa akafanana neanopira ropa renguruve uye kuti munhu anopira mupiro wokuyeuka worusenzi akafanana neanoremekedza chifananidzo chokunamata, vanhu vakadai vanoita zvomusoro wavo vanofarira zvinhu zvavo izvozvo zvinosemesa. Ini ndichavasarudzirawo nhamo ndichivaunzira zvavanenge vachitya nokuti ndakadaidza asi hapana akadavira. Ndakataura asi hapana akateerera asi vakatoita zvakaipa zvandisingamboda vachizvisarudzira zvinhu zvandisingadi.” Chimbonzwai zviri kutaurwa naTenzi imi munodedera izwi rake: “Hama dzenyu dzinokuvengai, dzinokudzingai pamusana pezita rangu vakataura vachiti, ‘Regai iye Tenzi arumbidzwe, tione kufara kwenyu ikoko!’ Asi ivo ndivo vachanyadziswa. Hero bongozozo richibva muguta, izwi riri kubva kuTemberi, izwi raTenzi, ari kuranga vavengi vake achivatsividza. “Asati amborwadzwa zvake nepamuviri mukadzi akasununguka mwana, asati abatwa nemarwadzo emimba akasununguka mwana mukomana. Ndiani chaizvo ati ambonzwa chinhu chakadaro ndiani ati amboona zvakadaro. Nyika ingaberekwe nomusi mumwechete here? Rudzi rwavanhu rungabva rwaberekwa nenguva isipi here? Ndinodaro nokuti guta reZioni parakangoti rwadzwei nemimba rakabva rasununguka vana varo vakomana. Ko ndingasvitse munhu panguva yokuti apone mwana ndigorega kuti asununguke here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ko ini ndinoita kuti vanhu vabereke vana, ndini ndingazodzivisa here kuti pamuviri pasunungukwe?” Ndizvo zviri kutaura Mwari wako. Pamberi nokufara neguta reJerusaremu muchirifarira imi mose munorida. Farai naro muchipembera nokufara imi mose munorichema. Kuti muyamwe zvenyu muchiguta pamazamu aro anonyaradza, kuti munyatsoyamwa muchinakirwa noupfumi hwakawanda hwomukurumbira waro. Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi, “Teererai munzwe, ndichaita kuti upfumi rugare ruerere kwariri serwizi, upfumi hwavamarudzi huchiita sorukova rwakafashukira kuzara. Muchayamwa zvenyu makaita zvokutakurwa parutivi paro muchivarayidzwa muri pamakumbo paro. Semwana ari kunyaradzwa naamai vake ndokunyaradza kwandichakuitawo imi. Muchanyaradzwa muri muJerusaremu. Muchatozvionerawo moga mugofara mumwoyo, muchinyatsokura zvakanaka muviri kuita souswa. Ndopazvichazikanwa kuti simba reruoko rwaTenzi riri pavaranda vake, asi akashatirirwa kwazvo vavengi vake.” Chinzwai, ndinodaro nokuti, Tenzi achauya ari mumoto, ngoro dzake dzehondo dzichinge dutu remhepo, kuzotsiva nehasha achiranga namarimi omoto nokuti Tenzi achatonga nomoto nebakatwa rehondo yake richawira vanhu vose zvavo panyika, vachaurayiwa naTenzi vachange vakawanda. “Vanozviita vatsvene navanozvichenura kuti vaende mumapindu vachiteveredzana nomumwe ari pakati vachidya nyama yenguruve nezvinhu zvakaipa zvisingadiwe naMwari nembeva, vachapera pamwechete ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Ndinodaro nokuti, ndinoziva mabasa avo netwavanofunga. Ndiri kuuya kuzounganidza ndudzi dzose dzavanhu nendimi dzose zvadzo vachasvikoona mbiri yangu. Ndichaisa mucherechedzo pakati pavo, ndichatora mukati mavo imomo chitsama chavanhu chichapunyuka rufu ndigochitumira kudzindudzi, kuTashishi nokuPuru nokuRudhi vanokunga uta. Ndichavatumirawo kuTubharu nokuJavhani nokunyika dzokumahombekombe kwegungwa kure uko kusina kumbonzwika mukurumbira wangu kana kuonekwa mbiri yangu. Vachadhumhisa mbiri yangu mukati mendudzi dzavanhu. Ivo vachauya nehama dzenyu dzose vachibva nadzo kundudzi dzose dzavanhu somupiro kuna Tenzi vari pamabhiza nomungoro dzehondo nomungoro dzine tutenga napamanyurusi nepanghamera dzinomhanya kwazvo vakananga kugomo rangu rinoera, Jerusaremu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vachiita sokuuya kunoita vaIsiraeri nomupiro wembesanwa uri mumudziyo wakachena kumba kwaTenzi. Vamwewo vavo ndichavaita vapristi vamwe ndichivaita vaRevhi, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Ndinodaro nokuti sezvazvichangoita kuti denga idzva nenyika itsva zvandichasika zvicharamba zviri pandiri. Ndizvo zviri kutaura Tenzi, ndozvichangoitawo zvizvarwa zvenyu nezita renyu zvicharamba zvichingovapo.” “Kubvira pakugara kwomwedzi kusvikira panozogarawo mumwe mwedzi, uye kubvira paSabata kusvikira pane rimwe Sabata, munhu wose zvake achange achiuya kuzondigwadamira,” ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Vachabudamo zvavo vachindoona zvitunha zvevanhu vakandipandukira nokuti honye dzavo hadzizofi, moto wavo uchange usingadzimi. Vachange vari chinhu chinosemesa kwazvo kumunhu wese zvake.” Aya ndiwo mazwi aJeremiya mwanakomana waHirikiya mumwe wavapristi vaiva muguta reAnatoti munyika yokwaBhenjamini. Shoko raTenzi rakauya kwaari mumazuva aJosiya, mwanakomana waAmoni, mambo wokwaJudha, muri mugore regumi nechitatu rokutonga kwake. Rakauya mumazuvawo aJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo wokwaJudha kudzamara kumagumo kwegore regumi nechiposhi rokutonga kwaZedhekiya mwanakomana waJosiya, mambo wokwaJudha, kusvikira pakutapwa kweJerusaremu mumwedzi wechishanu wacho. Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Ndisati ndambokuumba mudumbu ramai, ndaitokuziva, usati waberekwa ndakakutsaura. Ndakakureresa ndakakusarudza somuporofita kumarudzi avanhu.” Ini ndokuti, “AA! Nhai Tenzi Mwari! Tarisai muone kuti ini handikwanisi kutaura nokuti ndiri muduku!” Asi Tenzi akati kwandiri, “Rega kuti ndiri muduku, nokuti kune vose vandinenge ndakutuma unofanira kuenda uye zvandinenge ndakuudza unofanira kutaura. Rega kuvatya nokuti ini ndinenge ndinewe kuzokununura. Ndozviri kutaura Tenzi.” Tenzi akabva atambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu Tenzi akati kwandiri, “Chinzwa unzwe, ndaisa mazwi angu mukanwa mako. “Chiona, nhasi uno ndakupa masimba pamusoro pamarudzi namadzimambo okudzipura nookupaza, okuparadza, nookukurira okuvaka nookusima.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Jeremiya, chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Ndiri kuona bazi romuarimondi.” Tenzi ndokuti kwandiri, “Waona zvazviri, nokuti ini ndiri kutarisa kuti shoko rangu rakazadzikiswa.” Izwi raTenzi rakazouyazve kwandiri richiti, “Chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Ndiri kuona hari iri pamoto iri kuvira yakafuratira kuchamhembe.” Tenzi akati kwandiri, “Kuchamhembe uku kuchabva nhamo ichawira vagari vose venyika ino. Ndinodaro nokuti zvamunoona, ndava kuzodaidza ndudzi dzavanhu vamadzimambo oKuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Vanhu ivavo vachauya, mumwe nomumwe wavo agogadzikira chigaro choumambo hwake kwokupinda nako pamisuo mikuru yeguta reJerusaremu vagokomberedza masvingo eJerusaremu uye vagokomberana maguta ose zvawo okwaJudha. Ndichavatemera chirango chezvakaipa zvavo zvose zvokundifuratira kwamakaita vachipisira vamwe vamwari rusenzi nokupfugamira mabasa avanoita namaoko avo. Asi iwe wochisunga dzisimbe usimuke uvataurire zvose zvandinokuudza. Rega kuvatya, ukavatya ndinokuita mbwende pamberi pavo. Tarisa uone, nhasi uno, ini iyeni ndakuita guta retsvingo, nomusimboti wesimbi chaiwo, namasvingo endarira kurwisana nenyika ino yose zvayo namadzimambo okwaJudha namachinda ayo navapristi vayo navagari vayo. Vachakurwisa asi havazokukurira nokuti ini ndinewe ndichazokununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Enda undoparidza, Jerusaremu ichizvinzwa, kuti zvanzi naTenzi: “Ndinorangarira mwoyo wokuda zvokunamata wawaiva nawo pauduku hwako norudo rwawaiva narwo semwenga nokunditevera kwawaindiita murenje, munyika isina chinorimwamo. “Isiraeri yakanga ichiera kuna Tenzi iri michero yake chaiyo yokutanga kukohwa, vose zvavo vakaidya vakapara mhosva vakapinda nhamo ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Inzwai shoko raTenzi imi vemba yokwaJakobho, imi mose vemadzinza emba yaIsiraeri. Zvanzi naTenzi: “Ndechipiko chakaipa chakaonekwa namadzibaba enyu mandiri zvavakabva vatoenda kure neni kudai votevera zvinhu zvisina maturo vachibva vavawo vanhu vasina maturo? “Havana kumbobvunzawo kuti, iye Tenzi aripiko akatiburitsa munyika yeIjipiti, akatitungamirira murenje, munyika yamagwenga namakoronga, munyika yakaoma, nyika yezarima, munyika isina anopfuura nomo, kusina anogarako? “Ndakakuunzai munyika ine ivhu rakanaka kuti mudye henyu michero yayo nezvakanaka zvayo. Asi imi pamakapinda mairi makan'oresa nyika yangu mukaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa. “Vapristi havana kubvunza kuti, ‘Tenzi ari kupi?’ Vanoona nezvomutemo havana kundiziva. Vafudzi vavanhu vakandipandukira, vaporofita vakaporofita nomweya waBhaari vachitevedza zvinhu zvisina chimuko. “Zvanzi naTenzi, naizvozvo ndichakugadzai dare, ndichagadzawo vana vavana venyu nokuti yambukirai kumahombekombe eSaipurasi muone, kana kutumira nhume kuKedhari dzindonyatsoongorora kwazvo muone kana kwakamboitika chinhu chakadai. Kuno rudzi here rwakambochinjanisa vaMwari varwo, kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri. “Matenga ngaakatyamarewo nezvakadai izvi akangaidzwe, apazaniswe musoro, ndizvo zviri kutaura Tenzi; nokuti vanhu vangu vakanditadzira nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira ini tsime remvura mhenyu vakatozvicherera mazigaringiro emvura mazigaringiro akabamuka asingagone kuchengeta mvura. “Nyika yeIsiraeri nyika yevaranda here? Vakaberekerwa muuranda here? Sei vava nyama yamagora. Shumba dzakamudzovera dzichiita ruzha chairwo kudzvova. Nyika yeIsiraeri vaiita kuti ingova nyika isina zvayo chinhu, maguta ayo ava matongo asisina anogaramo. “Uyewo vanhu vokuguta reMemufisi nereTapanesi vakatsemura Isiraeri musoro. Hazvisi zvokuzviparira here izvi nokufuratira kwawakaita Tenzi, Mwari wako iye achingunokutungamirirai mugwara? “Ko zvino chii chamunowana nokuenda kuIjipiti, kundonwa mvura yomuna Nairi nhai? Uye chii chamunowana nokuenda kuAsiria, kundonwa mvura yomuna Yufuratesi here? Uipi hwako huchakupfukira; umhandupandu hwako ndohuchakugadzira. Chaunofanira kuziva nokuona ndechokuti chinhu chakaipa chinorwadza, kufuratira Tenzi, Mwari wako zvokunditya mauri hamuna ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari wehondo nehondo.” “Ndinodaro nokuti kare kare wakatyora iwe Joko rako ukadambura zvitorobho zvako uchiti, ‘Handichakushandirai.’ Heeka, pachikomo chose chose zvacho napasi pomuti wose zvawo wakasvibira wakapfugamidzapo sepfambi. “Asi ini ndakanga ndakusima somugirepisi wakanakisisa chaizvo, chaiwo une mhodzi dzakasvika. Zvauya sei kuti ubva wasanduka kudai, kubva wava somugirepisi womudondo zvawo? “Kunyange zvako ukazvishambidza nesoda nesipo ine simba chaizvo uchiipupumisa kwazvo kutindivara kwemhosva yako ndinenge ndichingokuona chete ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Ko ungagoti sei, handina kun'ora ini, handina kutevera vanaBhaari? Tarisa uone gwara rako mumupata, uzive twawakaita. Uri tsiru renghamera rabindura risina kugadzikana rinodimuranisa nyika. Uri dhongi zvaro romusango rajairira zvomurenje rinongofemhedza mhepo nokubindura kwaro! Ndiani angaridzore pahavi dzaro? Hapana mikono inenge ichiritsvaga inofanira kuzvinetsa zvayo, mumwedzi waro wokubindura inotoriwana chete. Ngwarirai kuti muchasvuuka tsoka mugooma pahuro nenyota. Asi wakati iwe, ‘Hazvina basa nokuti ndinodanana navamwari vechirudzi saka changu ini kwangova kundenderedzana navo ikoko.’ ” “Sokunyara kunoita mbavha kana yabatwa, ndokunyara kuchaita vemba yaIsiraeri, ivo, namadzimambo avo namachinda avo, navapristi vavo navaporofita vavo. Vanhu vanototi kumuti ‘Ndimi baba vangu,’ vachiti kudombo, ‘Ndimi makandibereka, nokuti vakandipa gotsi'va vakandivanza uso.’ Asi kana pava panhamo zvino ndopovoti, ‘Simukai mutinunureiwo.’ “Ko vamwari vako vawakazvigadzirira varipi? Ngavasimukeka ivo kana vachikwanisa kukununura zvaunenge wapindwa nenhamo kudaro nokuti iwe Judha kuwanda kwakaita maguta ako, ndokuwanda kwakaitawo vaMwari vako. “Chamunondipira mhosva chii ipapa? Makandipandukiraka imi mose zvenyu, ndizvo zviri kutaura Tenzi anoti: Kubangorangawo zvangu vana vako neshamhu, havana kana kumbodzoreka zvavo. Mapakatwa ako iyewe ndiwo aparadza vaporofita vangu seshumba inorura. Imi vechizvarwa chino ichi, chinzwai munzwe zviri kutaurwa naTenzi. Iyeni ndabva ndaita segwenga here kuvaIsiraeri? Kana kuti senyika yezarima zvayo? Ko vanhu vangu zvovotozuwa zvavo vachiti: ‘Tochiita pamadiro zvino, kwamuri hatichambokutsikazve?’ Mhandara ingakanganwe zvishongo zvayo here, kana kuti mwenga kukanganwa hanzu yake yomuchato here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa kwamazuva asingaverengeki. Inga unoziva kwazvo kurondorodza zvikomba zvako! Kunyange vakadzi vakaipa wakatovadzidzisa maitiro ako. Kunyange pambatya dzako pakatsvuka ropa ravarombo vasina mhosva. Hauna kuvawanikidza vachipaza. Kunyange zvose izvozvi zvakadai iwe ndopaunoti, handina mhosva, zvokundishatirirwa haachambondishatirirwa. Chinzwa, ndichakupa chirango chokukurangira muromo wako iwoyo wokuti, ‘Handina kutadzira Mwari.’ Unongoti pano batu, pano batu zvisina netsarukano yese. Uchanyadziswa neIjipiti sokunyadziswa kwawakaitwa neAsiria. Naikokozve uchadzoka wakabata gotsi nokuti Tenzi akaramba vaunovimba navo vacho. Chaunowanawo iwe uchibatsirwa navanhu ivavo hapana.” “Kana murume akarambana nomudzimai wake, iye akaenda akandova mudzimai womumwe murume, murume uyu angadzokerana naye here? Nyika iyoyo haingan'oreswe zvakanyanya here? Wakaitaka zvoufeve nezvikomba zvakawanda, ungadzokere here, iwe, kwandiri? Ndizvo zviri kurehwa naTenzi. Simudza musoro utarisewo kumitunhu yakatunhumara kusina miti. Ndapapi pausina kuitira chakaipa? Mudzinzira waigara wakamirira zvikomba zvako, sokuhwandira kunoita muArabhu mugwenga. Wan'oresa nyika iwe nounzenza hwako hunosemesa. Ndokusaka mvura yakambomiswa kunaya, mvura yomunhuruka ikarega kuturuka. Asi iwe une uso hwepfambi, haunyari. “Handiti iye zvino unonditi, ‘Baba vangu,’ uchinditi, ‘Muri shamwari yangu kubvira pauduku hwangu, mucharamba makangotsamwa here narini wose; mucharamba makangoshatirwa kusvikira kumagumo here?’ Tarisa uone kuti izvi kutaura unotaura zvako asi iwe wakaita zvakaipa paunokwanisira napo.” Mumazuva amambo Josiya, Tenzi akati kwandiri, “Wakaona here zvakaitwa nomukadzi akapanduka uya, Isiraeri kunekura kwaaiita nezvikomo zvose nepasi pomuti wose wose wakasvibira achiitira ufeve hwake imomo? Ndakafunga kuti, kana apedza kuita kwake kwose ikoko achadzokera kwandiri, asi haana kudzoka, izvozvo munyengedzi munun'una wake Judha uyu, zvaiva mumazisowo make. Judha akaona kuti pamusana poupombwe hwomukadzi asingavimbiki uya, Isiraeri, ini ndakamuramba netsamba yegupuro. Asi munun'una wake, munyengedzi, Judha, hazvina kumbomurovesa hana. Asi ndopaakatondoitawo unzenza. Pamusana pokufumuka kwake nounzenza akan'oresa nyika ino achiita zvounzenza hwokunamata matombo nemiti. Kunyange zvose izvi zvakadaro zvazvo, munyengedzi munun'una wake Judha haana kudzokera kwandiri nomwoyo wose asi zvechipameso chete, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Tenzi akati kwandiri, “Iye Isiraeri mukadzi akapanduka uya, anozvionesa somunhu asina mhosva pane munyengedzi uyu Judha. Enda undoparidza kuchamhembe mazwi aya utaure uchiti: “Zvanzi naTenzi, chidzoka iwe Isiraeri mhandupandu yomunhu. Handichakutsvukisira meso nehasha nokuti ndine ngoni, ndizvo zviri kutaura Tenzi handicharamba ndakashatirwa nokusingaperi. Chako iwe chete, bvuma uipi hwako kuti wakapandukira Tenzi, Mwari wako ukatoti zvako mwarara kurasira makomborero ako kuvamwari vasivo pasi pomuti wose zvawo wakasvibira ubvumewo kuti wakarega kuteerera izwi rangu, ndizvo zviri kurehwa naTenzi. “Zvanzi naTenzi dzokai imi vana vasina kutendeka nokuti ini ndini tenzi wenyu. Ndichakutorai ndichiti muguta iri ndotora mumwechete, mumhuri iyi ndichitora vaviri, ndozokuunzai kuguta reZioni. “Ndichakupai vafudzi vangu vapamwoyo vachakupai chokudya choruzivo nokunzwisisa. Zvanzi naTenzi pamazuva iwayo kana zvino maberekana kwazvo mawanda munyika ino, havachazombodoma kuti, ‘Bhokisi rechitenderano chaTenzi.’ Harisi kana kuzombouya zvaro mumusoro mavo kunyange kurirangarira zvako kana kumborisuwirwawo, harisi kuzombogadzirwa zvakare. Panguva iyoyo guta reJerusaremu rinenge rava kunzi, ‘Chigaro chaTenzi choumambo’. Ndudzi dzose dzavanhu dzichakotonokerako kuJerusaremu muzita raTenzi. Izvozvo vanenge vakanda pasi zvokuomesa musoro nokufuririka nomwoyo wavo wakaipa. Mumazuva iwayo vemba yokwaJudha vachabatana nevemba yokwaIsiraeri. Vachadzoka pamwechete vachibva kunyika kuchamhembe vachiuya kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka yavo.” Ini Tenzi ndakati, “Zvaizofadza seiko kukubatai somumwe wevanakomana vangu ndichikupai nyika yakanaka, nhaka yakanakisisa pane yamamwe marudzi ose. Ndaifunga kuti maizondidaidza kuti, ‘Baba vangu’ musisandifuratire morega kunditevera. Zvinongoita mudzimai anenge apanduka achisiya murume wake, ndokusatendeka kwawakaita iwe imba yaIsiraeri ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Pane kuchema kuri kunzwika pamutunhu wakatunhumara pasina miti, kuhwihwidza nokuteterera kwevanakomana veIsiraeri nokuti vaminamisa gwara ravo, vakanganwa Tenzi, Mwari wavo. Dzokai imi vanakomana vakapanduka ndichakurapai mwoyo wokupanduka. Hezvika, tauya kwamuri nokuti imi ndimi Tenzi, Mwari wedu. Zvomuzvikomo izvi kuzvinyengedza, ndizvo zvimwechetezvo nezhowezhowe inoitwa mamakomo'mu. Chokwadi ruponeso rwedu ruri muna Tenzi, Mwari wedu. “Asi kubvira pauduku hwedu Chakafumuka chakaparadza zvose zvakanga zvashandwa namadzibaba edu zvinoti: matanga emombe nezvimwe zvipfuwo navanakomana vavo navanasikana vavo. Ngatitii pasi ware ware kurara nenyadzi, kunyara kutikwidibire nokuti takatadzira Tenzi, Mwari wedu, isu namadzibaba edu kubvira pahuduku hwedu kusvikira pari nhasi. Uye hatina kuteerera izwi raTenzi, Mwari wedu.” Zvanzi naTenzi “Iwe Isiraeri kana wafunga zvokudzoka, kwandiri ndokwaunofanira kudzokera. Kana ukabvisa pandiri pangu zvinondisemesa izvi usingaite mwoyo miviri uye kana ukapika uchiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu’ uchipika pachokwadi zviri pamwero chaipo zviri mukururama, ndudzi dzavanhu ndopadzichazviwanira zvikomborero pamusana pako; vachiwana mbiri pamusana pako.” Nokuti zvanzi naTenzi kuvanhu vokwaJudha nokuvagari veJerusaremu, “Rimai minda yenyu yakasaruka murege kudyara muminzwa. Zvidzingisirei Tenzi imi vanhu vokwaJudha nemi vagari veJerusaremu. Pakudzingiswa ikoko, chinobviswa chacho, ngachibviswe mumwoyo menyu, ndingadaro ndikakuvirukirai nehasha kunge moto unopisa usina ani angaudzimure pamusana pezvakaipa zvamunoita.” Paridzai maJudha'mu muzivise muJerusaremu muti, “Ridzai mabhosvo nomunyika mose mudaidzire kwazvo muchiti, ‘Unganai tiende tindopinda mumaguta etsvingo!’ Simudzai mureza munange kuZioni tizai mundopotera, regai kugara, nokuti ndiri kuunza nhamo inobva kuchamhembe nokuparadza kwakakura kwazvo. Shumba yabuda mumajokochwa mayo; muparadzi wamarudzi avanhu abuda, asimuka achibva kwake, kuzoparadza nyika yako, maguta ako achava matongo, asisina anogaramo. Ipapo iwe chipfeka masaga uungudze ucheme nokuti Tenzi haana kurega kutivirukira kwazvo nehasha.” Zvanzi naTenzi, “Nomusi iwoyo, mambo namachinda vose zvavo vachapererwa nechivindi, vapristi vachadumbirwa nazvo vaporofitawo zvichivaomesa mate mukanwa.” Ini ndokuteterera ndichiti, “Ho baba iwe, nhai Tenzi Mwari, inga marega vanhu ava neJerusaremu iyi vachinyatsonyengedzwa vachinzi, ‘Zvichakunakirai,’ ihwo upenyu hwavo hwatova parumano nehondo yebakatwa.” Panguva iyoyo zvichazonzi kuvanhu ivava uye kuJerusaremu, heyo mhepo inopisa inobva kumatunhu akatunhumara kugwenga ichivinga mwanasikana iyeyu, vanhu vangu kwete mhepo yokuurutsisa kana kuchenesa, mhepo ine simba kwazvo kwazvo yandinotuma ini. Iye zvino izvi ndini ndava kuvatemera chirango. Tarira uone, vouya samakore, hedzo ngoro dzake dzehondo sechamupupuri mabhiza ake, anomhanya anosara pasi. Tawira iwe, taparara! Iwe Jerusaremu shamba zvakaipa zvemwoyo wako kuti uponeswewo. Kusvikira rini chaizvo pfungwa dzouipi idzi dzakagara mauri? Nokuti kwaDhani kwabva shoko riri kuparidza, riri kuparidza nhamo iri kubva kuGomo rokwaEfuremu. Yambira marudzi avanhu kuti ava kuuya, muzivise Jerusaremu kuti, kuri kuuyiwa navakombi vamaguta vanobva kunyika iri kure. Vari kudaidzira kumaguta okwaJudha. Tenzi ari kuti vakomberana Judha savanhu vanochengetedza munda nokuti akandipandukira. Nzira dzako namaitiro ako ndozvakupfukira, ndokupera kwako ikoku. Zvinorwadza zvakusvika pamwoyo chaipo. Maiwe, maiwe, ndinobinduka nokurwadziwa, mwoyo wangu maiwe, mwoyo wangu uri kurova zvakanyanya. Handikwanisi kunyarara nokuti ndiri kunzwa kurira kwamabhosvo, iri yambiro yehondo. Nhamo dzavirikidzana zvakaomarara, nyika yose yaparadzwa, misasa yangu yematendhe yangoerekana yaparara machira angu okudzikatirisa aparara nenguva isipi. Kusvikira riniko ndichingoona mureza uyu ndichingonzwa kurira kwamabhosvo nokuti, “Vanhu vangu mazungairwa, ini handivazivi, mazirema evana, havanzwisisi. Vanochamirira kuita zvakaipa asi kuita zvakanaka havamboziva.” Ndakatarisa panyika, ndikaona paparara, pasisina chiripo. Ndakatarisa kudenga, ndikaona kusina chiedza Ndakatarisa makomo, ndikaona achindengendeka, zvikomo zvose zvichivheya uko nokoko. Ndakatarisa ndikaona pasina kana munhu, kunyange shiri dzose dzedenga dzakanga dzatiza. Ndakatarisa, onei, nyika yaibereka zvibereko zvayo yangove gwenga, maguta ayo ose angove matongo pamberi paTenzi uye nehasha dzake. Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi, nyika yose ichaparara, asi handisi kuzoiparadza zvachose. Nyika ichachema nokuda kwaizvozvo, denga kumusoro uko, richasviba nokuti ndizvo zvandatema, ndozvandada. Handimboteti kana kudzokera shure. Pavanongonzwa mutsindo wamabhiza neyevemiseve, guta rose, munhu anobva angoti gumbo ndibereke, zvobva zvongoti runopinda mumajokochwa norunokwira mumatombo, maguta ose anosara angova maguta chete asina munhu anogaramo. Zvino iwe Mushayavanhu, chaunobangopfekera hanzu tsvuku chii? Zvaunobva watozviti memete nezvishongo zvendarama kudai uye kutokudza-kudza meso ako nependi. Chaunozvishongedzera chaizvo hapana, zvikomba zvako izvozvo zvinokuzvidza. Chavanenge vachitotsvaga kukuuraya nokuti ndakanzwa kuchema kunenge kwomukadzi arwadzwa napamuviri kurwadzwa sokwemukadzi ari pakusununguka mwana wokutanga. Mhere yeJerusaremu, mukunda weZioni achitofemuruka achitambanudza maoko ake achiti, “Maiwe zvangu! Ndava kutofizuka zvangu pameso pemhondi.” Bvongodzai nomumigwagwa yeJerusaremu mutarise muongorore. Tsvakurudzai mumisika yaro muone, kana mukawana mumwechete zvake anoita zvine ruenzaniso uye ari pachokwadi, ndiriregerere guta irori. Kunyange zvazvo vachiti, “NaTenzi chaiye mupenyu,” izvozvo vanenge vachipika zvenhema. Nhai Tenzi, handiti meso enyu anotsvaga chokwadi here? Kuvarova makavarova zvenyu asi hazvina kuvarwadza. Makavakuya, imi, asi vakaramba kudzorwa. Vakatoomesa musoro kutopinda dombo, vakaramba kutendeuka. Ini ndokuti, “Ava vanhu varombo zvavo chete havanzwisisi nokuti nzira yaTenzi havaizivi, iwo mutemo waMwari wavo. Ndichaenda kuvakuru vakuru vacho ndigotaura navo nokuti vanoziva nzira yaTenzi, iwo mutemo waMwari wavo. Asi vose zvavo vakaita zvimwechetezvo vakatyorawo joko racho vakadambura zvitorobho. “Naizvozvo shumba ichabva mudondo ivauraye, mhumi yokugwenga ichavaparadza; mbada iri kuhwandira mumaguta avo. Ani naani anongobudamo achabvamburwa-bvamburwa. Nokuti kukanganisa kwavo kwawanda; umhandupandu hwavo hwanyanya. “Ndingagokuregererai seiko? Vana venyu vakandifuratira vakatopika zvavo navasiri vamwari. “Pandaivapa chokudya vachiguta ivo ndopavakaita upombwe vachiunganidzana kudzimba dzepfambi. Vakanga vava mikono yamabhiza yakakodzwa yava kuda makadzi, rimwe nerimwe rohwihwidzira mukadzi werimwe raro. Ndingarege here kuvarangira zvinhu izvozvi? Ndozviri kutaura Tenzi. Ndingarege here kutsividza rudzi rwakaita sairworu? “Pindai nomumitsara yemigirepisi yake muchiparadza, asi musabva maparadza zvachose. Mukwazhurei mapazi ake nokuti haasi mapazi aTenzi. Ndinodaro nokuti vemba yokwaIsiraeri nevemba yokwaJudha, vakanga vari vanhu vasina kunyatsotendeseka kwandiri. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Vanoreva nhema nezvaTenzi vachiti, “Hapana chaanoita uyu. Hapana nhamo ichatiwira. Hondo yemapakatwa, hatisi kuzomboiona isu, kana zveshangwa yenzara.” Vaporofita vangova mhepo zvayo mavari hamuna shoko racho. Saka izvozvo ndozvichaitwa kwavari! Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari wehondo nehondo, “Chinzwa, pamusana pomuromo wavanotaura iwoyo, ndichaita kuti mazwi angu anobva mumuromo mako ave moto, vanhu ivava vanenge vari ivo huni dzacho; moto iwoyo uchavaroromesa.” Chinzwai, imi vemba yaIsiraeri ndiri kukuunzirai rudzi rwavanhu, vanobva kure, kure ndizvo zviri kutaura Tenzi. Rudzi rwacho rudzi rwapasichigare rudzi rwaivapo kubvira chingo nechingo, rudzi runo mutauro wamusingazivi vamusingagoni kunzwisisa kutaura kwavo. Mukutu wavo unenge guva rakashama, vose zvavo magamba okurwa chaiwo. Vachadya goho renyu nechokudya chenyu Vachaparadza vanakomana venyu navanasikana venyu. Vachadya matanga emombe dzenyu neezvimwe zvipfuwo zvenyu. Vachadya magirepisi enyu uye maonde enyu. Maguta enyu etsvingo amunovimba nawo vachaaparadza nehondo yebakatwa. Asi zvanzi naTenzi, “Kunyange mumazuva iwayo handisi kuzobva ndakutsakatisai. Vanhu vokwako ava kana vokubvunza vachiti, ‘Tenzi, Mwari wedu akaitireiko zvinhu izvi kwatiri?’ Iwe vataurire kuti, ‘Sokundifuratira kwamakaita muchindonamata vaMwari vasiriivo munyika menyu, saizvozvowo muchandonamatawo vamwari vasirivo kunyika isiri yenyu.’ ” “Paridzai izvozvi kune vemba yokwaJakobho; zivisai izvozvi mune vemba yaJudha. Chinzwai izvi mazungairwa avanhu, vanhu vasina pfungwa, vana maziso, asi havaoni, vane nzeve, asi kunzwa vasinganzwi. “Tenzi anoti, hamundityi here, uye hamundidederi here? Ini ndakaisa jecha samahombekombe egungwa. Muganhu wokugara wakadaro warisingagoni kudimura. Kunyange mafungu akausunda haanga usudurudze kunyange zvazvo akatinhira haakwanisi kuudarika. Asi vanhu ivava itsvuuramuromo dzavanhu vane mwoyo woumhandupandu vakatsauka vakateterekera kure. Mumwoyo mavo havambozvitiwo, ngatityei Tenzi, Mwari wedu, anonayisa mvura mumwaka wayo; nemvura yobumharutsva neyomunhuruka, nokutipa masvondo akatemerwa nguva yokukohwa. Uipi hwenyu ndohurikuzvitandira kure, zvitadzo zvenyu ndizvo zviri kukutadzisai kuwana zvakanaka nokuti pakati pevanhu vangu pane vamwe vanhu vakaipa. Vanohwandira savateyi veshiri vakagaririra. Vanoteya chokuteyesa vachibata vanhu. Setswanda yokuteyesa shiri yazara nadzo, dzimba dzavo dzakati pamu pamu kuzara nezvinhu zvoujarijari. Saizvozvo vava mbombo chaidzo dzakapfuma, vakakora, vakaita miviri unoyevedza. Kuita kwavo kwouipi hakuna muganho, havatonge zvine ruenzaniso; mhaka dzenherera kuti dzibudirire. Havambomiririra varombo pazvinhu zvinofanira kuve zvavo. “Tenzi ari kuti ndingarege here kuvarangira zvinhu izvozvi? Ndingarege here kutsividza rudzi rwevanhu vakadai urwu? Kwaitika chinhu chinodumbirisa chinhu chakaipisisa kwazvo munyika ino chokuti: vaporofita vari kuporofita zvenhema vapristiwo vachitonga vachingoita kuti zvivanakire. Vanhu vangu ndozvavari kutodawo zvakadaro izvozvo, asi muchaita sei kana kuguma kwazvosvika?” Tizai muJerusaremu munohwanda imi vanhu vokwaBhenjamini, ridzai hwamanda muTekoa, uye simudzai mumise chiratidzo paBhetihakeremu, nokuti heyo nhamo youya ichibva kuchamhembe, kuparadza kukuru chaizvo. Guta reJerusaremu, mukunda weZiyoni kunyange rakanaka zvaro kudaro ndichariparadza. Vafudzi namatanga ezvipfuwo zvavo, vachadzika misasa yavo yematendhe vakarikomberana mumwe nomumwe achifudzira zvake pachindima chake. “Gadzirirai hondo tivarwise, simukai tivarwise zuva richirova nhongonya.” “Inga tapinda nhamoka isu zuva rava kuvira kudai mimvuri yokudoka kwokunze yava kureba. Simukai tirwise nousiku tiparadze mizinda yaro.” Nokuti zvanzi naTenzi Tenzi wehondo nehondo, “Temerai pasi miti yaro muvake nevhu chinenge musana wenzou kurusvingo rweJerusaremu. Guta irori iri, iguta rinofanira kurangwa, udzvinyiriri ndohuzeremo chete. “Sezvinoita tsime kunyatsochengetedza mvura yaro yakanaka, ndizvo zviri kuita guta irori kunyatsochengetedza uipi hwaro. Utsinye nokuparadza ndizvo zvinonzwika mariri urwere namaronda zviri kugara zviri pameso pangu. Iwe Jerusaremu uchinzwawo! Ndingadaro ndikachekana ukama newe ndinokusiya wangova nzvimbo chete, nyika isina ageremo.” Zvanzi naTenzi Mwari wehondo nehondo: “Vachanyatsoita sokufuhwa mugirepisi vachifuhwa chitsama chavakasara cheIsiraeri, somutanhi wamagirepisi dzokererazve kupinza ruoko rwako mumapazi awo.” “Ndiani chaizvo wandingataurire ndichiyambira kuti vanzwe? Hezvi nzeve dzavo dzakadzivira, havanzwi. Zvamunoona, kwavari ivo, shoko raTenzi rangova chinhu chinoshoreka, havachamborifarirai Ndokusaka ndakapaka kuzara nehasha dzaTenzi, ndaneta nadzo kudzinyaradza. Dzidururire pavana vari mumugwagwa napamapoka amajayawo. Vose zvavo murume nomukadzi vachatapwa, vezera ravakura navakwegura chaivo.” “Misha yavo ichava yavamwe pamwechete neminda yavo namadzimai avo nokuti ini noruoko rwangu ndichasumudza shamhu yokuranga vagari venyika ino, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti kubvira kumudiki kusvikira kumukuru wacho chaiye, munhu wose ano makaro okuwana zvinhu nenzira isina kururama, kubvira kumuporofita kusvikira kumupristi munhu wose ari kungoita zvounyengedzi. Kurapa ronda ravanhu vangu, vanorapa zvavo asi zvechipa meso vachiti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare rwacho. Havaifanira kunyara here pavakaita zvakaipa zvisingadiwi naMwari? Kwete havana kana kumbonyara ava. Havazivi kuti kunonyarwa sei. Naizvozvo vachafawo panofira vamwe, panguva yandichavaranga ndipo pavachakundwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Zvanzi naTenzi, “Mirai pamhararano munyatsotarisa, mubvunzisise nezvenzira dzakare kuti gwara rakanaka nderipi mufambe naro muzviwanire zororo.” Asi ivo vakatoti, “Hatidi kufamba mariri.” Ndakaisa vatariri vokukutarirai, ndichiti, “Teererai kurira kwehwamanda.” Asi vanoti, “Hatimboda kana kuzvinzwa izvozvo.” “Saka zvino chinzwai munzwe imi ndudzi dzavanhu, imi gungano ravanhu muzive zvinhu zvichavawira. Iwe nyika, teerera unzwe! Tarisa uone, nhamo dzandava kuuyisa pavanhu ava zvibereko zvetwavanoita, nokuti vakarega kuteerera shoko rangu. Mutemo wangu vakauramba. Chandinouyisirwa rusenzi runobva kuShebha chii, kana idzo nzimbe dzinotapira dzokunyika yokure? Mipiro yenyu yokupisa haigamuchiriki, zvibayirowo zvenyu hazvindifadzi. Ndokusaka zvanzi naTenzi, chinzwa, ndava kuisira vanhu ava zvinhu zvokuvagumbura zvichavagumbura, madzibabawo pamwechete navakomana, vachaparara muvakidzani neshamwari vachaparara.” Zvanzi naTenzi, “Chinzwa, kune vanhu vari kuuya vachibva kunyika yokuchamhembe, rudzi rukuru rwavanhu rwuri kuzhandanuka ruchibva kure kwakaperera nyika chaiko. Vakapakata uta namapfumo, vanoutsinye uye havana tsitsi. Ruzha rwavo runenge ruzha rwegungwa, vanotasva mabhiza akarongana savanhu vari kundorwa hondo kuzorwisa iwe Jerusaremu, mukunda weZioni!” “Takanzwa runyerekupe rwazvo, maoko edu akabva arengenduka, takarwadziwa isu namarwadzo anenge omukadzi ari kusununguka. Regai kupinda mumunda kana kufamba pamugwagwa nokuti muvengi ane bakatwa, zvinotyisa zvapoteredza.” “Iwe mukunda wavanhu vangu, Jerusaremu pfeka masaga uwumburuke mudota uchichema sokuchema mwana mukomana mumwechete oga, kuchema kunosiririsa kwazvo, nokuti nenguva isipi, muparadzi achatiwira. Ndakakuita kuti uve muongorori nomuonorori mukati mavanhu vangu kuti uzive uye uongorore nzira dzavo. Vose zvavo inhunzvatunzva dzakapanduka, vanofambidzana navanamuzvinaguhwa. Vangova sendarira nesimbi; vose zvavo vano kuita kwakaora. Mvuto dziri kufutidza zvinotyisa, mutobvu wonyungurutswa nomoto zvokuuchenesa pasina, nokuti vatadzi havana kubviswa. Vachanzi, marara zvawo esirivha nokuti Tenzi akavaramba.” Iri ndiro izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti, “Mira pasuo guru remba yaTenzi uzivise vanhu ipapo shoko iri, uti inzwai shoko raTenzi imi mose vokwaJudha munopinda napamisuo mikuru ino iyi muchindonamata Tenzi. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, iye Mwari weIsiraeri, ‘Gadziridzai nzira dzenyu nezviito zvenyu, iniwo ndipo pandichakuitai kuti mugare munzvimbo ino.’ Regai kuvimba namazwi aya anonyengedza muchingoti, ‘Iyi iTemberi yaTenzi, Temberi yaTenzi, Temberi yaTenzi.’ “Chiripo ndechokuti kana mukanyatsogadziridza nzira dzenyu namaitiro enyu, muchinyatsoitirana zvinhu zvine ruenzaniso mukaregawo kudzvanyirira muuyi kana nherera kana chirikadzi, kana zvokudeura ropa romunhu asina mhosva munzvimbo ino, uyewo kana mukakanda pasi zvokuteveredzana navamwe vamwari zvinokupinzai munhamo, ndopandichakuregai makagara munzvimbo ino, munyika yandakapa kare kumadzibaba enyu narini narini wose. “Chinzwai, izvozvi imi muri kungovimba namazwi anonyengedza zvisina chimuko. Mungati here imi maba, mauraya munhu, maita upombwe, mapika zvenhema, mapisira rusenzi kuna Bhaari matevedza vamwe vamwari vamusingazivi pedzepo mouya kuzomira pandiri muimba ino, imba inodaidzwa nezita rangu muchitoti zvenyu, ‘Takaponeswa isu,’ imi muchingoenderera mberi chete kuita zvinondisemesa zvose izvi? Ko iyo imba iyoyi inodaidzwa nezita rangu, mukuona kwenyu yatova bako remakororo nhai? Chinzwai, ini iyeni ndakatozviona, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Asi chimboendai kunzvimbo yangu yaiva kuShiro, kwandakamboisa zita rangu pokutanga muone zvandakaita kwairi pamusana pouipi hwavanhu vangu vaIsiraeri. Zvanzi naTenzi zvino pamusana pezvose zvamakaita izvi, pandakaramba ndichingotaura kwamuri, imi makarega kuteerera. Pandakakushevedzai hamuna kudaira. Naizvozvo ndichaita kuimba iyi inodaidzwa nezita rangu, yamunovimba nayo yacho uye kunzvimbo yandakapa kwamuri nokumadzibaba enyu, sezvandakaita kuShiro. Ndichakudzingirai kure neni sokudzinga kwandakaita hama dzenyu dzose dzechizvarwa chokwaEfuremu.” “Iwe rega kunamatira vanhu ivava kana kuvaisira chichemo kana munamato. Usavateterere kwandiri nokuti handimbokuteerera. Hausi kuona here zvavari kuita mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu? Vana ndivo vokutsvaga huni madzibaba acho achikuhwidza moto madzimai varivo vokukanya mukanyiwa wokubikisa zvingwa zvokupira kuna vahosi vamambo wedenga. Vanotoita mipiro yokuteura kune vamwe vamwari kuti vandishatirise. Wavari kurwadzisa ipapa ndini here? Ndozviri kutaura Tenzi. Havasi kutozviparira zvavo here vachitozodzungaira? Naizvovo zvanzi naTenzi Mwari tarisa uone ndava kuvirukira nzvimbo ino nehasha ndakashatirirwa vanhu nemhuka nemiti yesango nemichero yenyika. Uchava moto moto usingadzimurike.” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, iye Mwari weIsiraeri, “Wanziridzai zvenyu iyo mipiro yenyu yokupisa kututsira zvibayiro zvenyu muchidya nyama dzacho. Chiripo ndechokuti musi wandakavaburitsa munyika yeIjipiti, handina ini kutaurira madzitateguru enyu kana kuvapa somurao nezvemipiro yokupisa kana nezvezvibayiro. Asi chandakavapa somutemo ndechichi chokuti, “Teererai zvandinoreva ini ndichava Mwari wenyu imi muchava vanhu vangu mufambe nenzira dzandakareva kuti zvikunakirei. Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo. Vakatotevedza zvomusoro wavo nemwoyo yavo yakapanduka yakaipa vakadzokera shure kunze kwokuti vatoenda mberi. Kubvira zuva rakabuda madzitateguru enyu munyika yeIjipiti kusvikira pari nhasi, ndanga ndichingovatumira varanda vangu vose vaporofita mangwana mangwana. Asi havana kumbonditeerera kana kurerekera nzeve dzavo. Vakatoomesa musoro vakatoita zvakaipa kupinda madzibaba avo. “Ipapo uchataura zvako mazwi ose iwaya kwavari asi havambokuteerera. Uchavashevedza zvako asi havambokudavira. Asi unofanira kuvataurira kuti, rudzi urwu, rudzi rwavanhu vasingateereri zvinotaura Tenzi, Mwari warwo, rudzi rwavanhu vasingadzoreke. Mavari, chokwadi chakapera, pamuromo pavo hapachambobuda chokwadi. “Vevurai vhudzi renyu murirase, tangai kuungudza pamitunhu yakatunhumara nokuti Tenzi aramba akafuratira chizvarwa ichi chevanhu ava chaachapedzera shungu dzehasha dzake. “Chiripo ndechokuti, vokwaJudha vakaita zvakaipa mumaziso mangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vakaisa zvinosemesa mumba inodaidzwa nezita rangu kuin'oresa. Vakavakawo nzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuBisiro nzvimbo iri mubani roMwanakomana wokwaHinomu pokupisira sechibayiro vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto. Izvozvo zvinhu zvandisina kumbotema ini uye hazvina kana kumbouya mupfungwa dzangu. Naizvozvo, chinzwa, zvanzi naTenzi kuchasvika mazuva aisiri kuzombonzizve kuBisiro kana kunzi kuBani reMwanakomana wokwaHinomu. Asi kuchatonzi kuBani rokuDeurirwa ropa, nokuti vachatoviga vanhu kuBisiro ikoko pamusana pokuti kumwe kose kuchange kusisina nzvimbo. Uye zvitunha zvavanhu ivava zvichave chokudya cheshiri dzedenga nezvikara zvenyika pasina anozvidzinga. Ndichagumisa mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu chikwe-e chokuseka kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho pamusana pokuti nyika ichasara isisina chinhu.” “Tenzi anoti, panguva iyoyo, mapfupa amadzimambo okwaJudha namapfupa amachinda acho uye mapfupa avapristi mapfupa avaporofita namapfupa avagari veJerusaremu achaburitswa mumakuva avo. Achanzi yacha kuyanikwa muzuva nemwedzi uye napamberi pegurusvusvu rezvose zvedenga izvo zvakavatora mwoyo uye zvavaishandira, izvozvo zvavaiteveredza uye zvavaitsvaka vachinamata. Mapfupa iwayo haasiri kuzounganidzwa kana kuzovigwa achangoti warara sendove pasi pavhu. Chitsama chakasara chavanhu vose ivava vemhuri yevaipi vachange vari kunzvimbo dzose kwandakavadzingira chichakungura kuti kufa kuri nani pane kurarama. Ndozviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.” Unofanira kuvataurira kuti, zvanzi naTenzi, “Vanhu pavanoputsika, havasumukezve here? Ko kana munhu atsauka mugwara haadzokezve here? Ko vanhu ava vadarirei kubva varamba vakatsauka zvokupanduka kudai? Vanobatisisa kune zvounyengedzi vachiramba kudzoka. Ndakarerekera nzeve ndichiteerera, asi hapana chakanaka chakabuda mumuromo mavo. Hakuna anopfidza uipi hwake achidemba achiti, ‘Ndicho chii ichochi chandakaita.’ Munhu wose yangova njakenjake sezvinongoita bhiza kumhanya kwazvo richipinda muhondo. “Inga wani kunyange shuramurove zvaro mudenga umu, rinoziva nguva yaro uye njiva kana mherepere kunyange nhapata dzinochengetedza nguva yadzo yokuuya wani. Asi vanhu vangu havamboziva zvavo murao waTenzi. Pakadai apa ndopamungataure here kuti, ‘Tiri vangwaru vevanhu isu uye tinawoka mutemo waTenzi isu?’ Asi chionai kuti, penzura yemanyepo yenyanzvi dzomutemo yakauita kuti muve manyepo. “Vangwaru vachanyadziswa, vachapazamiswa musoro nazvo vachibva vabatwa. Hezvika, vakaramba shoko raTenzi; zvino ungwaru hwavanahwo ndohupi? Naizvozvo vakadzi vavo ndichavapa kuna vamwe; minda yavo ndichipa kune vamwe vokuva varidzi vayo, nokuti kubvira kumudiki kusvikira kumukuru chaiye munhu wose ane makaro okuwana zvinhu nenzira isina kururama. Kubvira kumuporofita kusvikira kumupristi munhu wose ari kungoita zvounyengedzi. “Kurapa ronda ravanhu vangu, vanorapa zvavo, asi zvechipameso vachiti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare rwacho. Havaifanira kunyara here pavakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi? Kwete havana kana kumbonyara. Havazivi kuti kunonyarwa sei. Naizvozvo vachafawo panofira vamwe panguva yandichavaranga ndipo pazvichavaperera, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Zvanzi naTenzi, pandinenge ndada kuvaunganidza, ndinoona vari somugirepisi usina magirepisi, kana kuti muonde usina maonde, kunyange namashizhawo awo asvava kana zvandakanga ndavapa zvakatopfuura kare kare. “Torambirei takati teshe kugara? Ngatiunganei pamwechete tindopinda mumaguta etsvingo tindopararira imomo zvedu nokuti Tenzi, Mwari wedu atitemera kuparara uye atipa mvura ine chepfu kuti tinwe nokuti isu takatadzira Tenzi. “Taitarisira kuwana rugare asi hapana chakanaka chakauya, tikatarisira nguva yokurapwa, asi zvinotyisa ndozvotoona. Kufemuruka kwamabhiza avo, kunonzwika nokwaDhani. Pamusana poruzha rwokuhwihwidza kwamabhiza avo makono, nyika yose inondengandenga. Vanouya vachisvikoparadza nyika ino nezvose zvizere mairi, guta navanhu vageremo. Ndinodaro nokuti ndava kutuma nyoka mukati menyu, zviva chaizvo zvisina kana mapipi angazvidzivise izvozvo ndizvo zvichakukoborai.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Kurwadziwa mwoyo kwangu hakuna angakunyaradze mukati mangu, mwoyo wangu warwadza. Inzwai kuchema kwemwanasikana wangu, kuchema kwavanhu vangu; kuchibva kose kose munyika ino vachiti, “Ko Tenzi haasi muguta reZioni here? Mambo weZioni haasisimo here muguta imomu? Vakandishatirisirei nezvifananidzo zvavo zvokunamata zvemabwe zvakavezwa nezvimwe zvifananidzo zvokunamata zvevechirudzi zvisina maturo? “Kukohwa kwakapfuura, mwaka wezhizha wakatopfuura asi hatina kuponeswa.” Chiripo ndechokuti ronda remwanasikana wangu, ronda raivo vanhu vangu ava randirwadza mwoyo. Ndiri kuchema nhamo ini, zvandishayisa chokuita! Ko imo muGireadhi hamunawo pfuta here? Hamuna here murapi imomo? Zvino seiko urwere, hwavanhu vangu ava husina kurapwa? Dai zvazvo musoro wangu uchingova mvura chete, uye maziso angu ari chisipiti chemisodzi, ndingadai ndichisvimha misodzi siku nesikati kuchema vanenge vaurayiwa, ivo vanhu vangu. Dai zvangu kugwenga'ku ndaiva nedumba ravapfuuri nenzira; ndingadai ndabva muvanhu vangu ndaenda kure navo, nokuti vose zvavo inzenza dzavanhu boka ravanhu vounyengedzi. “Vanokunga rurimi rwavo souta, chavanosimbirira munyika muno manyepo chete, kwete chokwadi nokuti vanoenda kundotutsira uipi pamusoro pohumwe uye havandizivi, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Munhu wose ngaachenjerere mumwe wake, arege kuvimba kana nehama zvayo, nokuti hama ipi neipi zvayo inonyengedza inonyengedza uchitora nzvimbo dzavamwe nokubata vanhu kumeso vose zvavo vangova vanazimwaya. Munhu wose anonyengedza mumwe wake, hapana anotaura chokwadi. Vakajaidza rurimi rwavo kutaura manyepo, vachitoita zvavo zvakaipa. Zvokutendeuka zvava kuvanetsa vachidzvinyirira vanhu vadzvinyirirazve, vachiita unyengedzi pamusoro pohumwe hunyengedzi, vasingadi kundiziva; ndizvo zviri kureva Tenzi. Ndokusaka zvichinzi naTenzi wehondo nehondo, “Chiona, ndichavachenesa ndivaedze nokuti chimwe chandingaite chii chaizvo pamusana pavanhu vangu. Rurimi rwavo, museve unouraya, runotaura zvokunyengedza. Nomuromo uyu munhu anonyatsokurukurirana nomumwe wake zvakanaka asi mumwoyo make anenge achitoronga zvokumuhwandira. “Pakadai, ndingarege kuvarangira zvinhu izvozvi here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndingarege here kutsividza rudzi rwavanhu vakadai ava? “Ndava kusvimha misodzi ndichiridzira mhere mumakomo ndichichema mafuro okurenje nokuti aparadzwa zvokuti hakuna kana achadimura neko uye kukuma kwomombe hakuchambonzwika ikoko, zvose zvazvo zvinoti shiri dzedenga nemhuka zvati ware kutiza, zvaenda. “Ndichaita kuti guta reJerusaremu rive murwi zvawo wamatongo, nzvimbo inorara makava. Ndichaita kuti maguta okwaJudha asare ava magutawo asina ageremo. “Ndiani ano ungwaru hwokuti agone kunzwisisa izvozvi izvi? Ndiani chaizvo akataurirwa nomuromo naTenzi kuti azvizivise kuvanhu? Nyika yaparadzwa nei kudai kubva yarozvwa kusara yava serenje zvokusawana kana nomumwe anopfuura nemo?” Zvino Tenzi anoti, “Chikonzero chacho ndechokuti vanhu ava vakafuratira mutemo wangu wandakavapa uye vakarega kuteerera izwi rangu kana kuritevedza zvako. Asi vakaita musikanzwa vachitevera zvomusoro wavo. Vakatevedza vanaBhaari sokudzidziswa kwavakaitwa namadzibaba avo. Ndokusaka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: Chinzwa, ndichadyisa vanhu ivava gavakava ndichivapa mvura yokunwa ine chepfu. Ndichavati mwarara mukati mendudzi dzavanhu vavasingamboziva uye vasina kumbozivikanwa namadzibaba avo. Ndichati varondwe nehondo yebakatwa kusvikira ndavatsakatisa.” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chifungai zvokuita, mutodaidza vakadzi vokuchema, panhamo vauye kokai nyanzvi chaidzo dzavakadzi dziuye. “Ngavaite zvokukasika varidze mhere dzokutichema kuti tichururuke misodzi mumaziso medu, mvura iite zvokupfachuka muhwidibiro dzamaziso edu, nokuti mhere yokuhwihwidza yanzwika kuguta reZioni ichiti: ‘Inga taparara isu! Tazonyadziswa zvikuru nokuti tatosiya nyika yedu nokuti vaparadza misha yedu.’ “Asi imi vakadzi inzwai shoko raTenzi, murerekere nzeve dzenyu munzwe shoko romuromo wake. Dzidzisai vanasikana venyu nhetembo yokuungudza, mumwe nomumwe wake rwiyo rwengondo yokuchema nokuti rufu rwatipindira napahwindo rukapinda mumizinda yedu ruchipedza vana mumigwagwa'mu namajaya mudzinhandare. Iti, ‘Zvanzi naTenzi zvitunha zvevanhu zvichati kata kata pasi sendove mugura sezvisote pabva mukohwi pasina anovaunganidza.’ ” Zvanzi naTenzi, “Ngwazi ngairege kuzvikudza noungwaru hwayo, gamba rehondo rikande pasi zvokuzvitutumadza nougamba hwaro mupfumi ngaarege kuzvibhebhesa noupfumi hwake. Asi kutoti munhu anenge achizvipa mbiri ngaazvirumbidzire kuti anenge achindinzwisisa uye achindiziva kuti “Ini ndini Tenzi ndinoita panyika mwoyochena noruenzaniso nokururama nokuti izvozvi izvi ndozvandinofarira ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andicharanga vose zvavo vanozviti vakadzingiswa asi ivo vasina kudzingiswa-venyika yeIjipiti nokwaJudha neEdhomu navanakomana vokwaAmoni nevekwaMoabhu uye vose zvavo vagere mugwenga vanovevura makona evhudzi ravo nokuti ndudzi dzose idzodzi ndedzavanhu vasina kudzingiswa. Asi vose zvavo vemba yaIsiraeri, mumwoyo'mu ndimo mavasina kudzingiswa.” Teererai munzwe zviri kureva Tenzi kwamuri imi vemba yaIsiraeri. Zvanzi naTenzi, “Regai kudzidza nzira dzamamwe marudzi, kana kudedereswa zvenyu nezviratidzo zvomumatenga, nokuti ndizvo zvinodederwa namarudzi pamusana pokuti tsika dzamamwe marudzi hadzina maturo. Nokuti vanotema muti mudondo wopanhwa nedemo nomuvezi namaoko ake. “Vanhu vochishongedza nesirivha nendarama vachirovera zvipikiri nenyundo kuitira kuti zvisimbe. “Zvakaita sezvimifananidzo zvokudzingisa nazvo makunguo mumunda wamagaka. Kutaura, hazvigone kutaura zvinoita zvokutotakurwa nokuti hazvigone kufamba. Musazvitye nokuti hazvikwanisi kuita zvakaipa kana kuita zvakanaka.” Hakuna akaita semi imi Tenzi. Imi muri mukuru uye zita renyu imi izita guru kwazvo rine simba. Ndiani angarege kukutyai, imi Mambo wendudzi dzavanhu? Nokuti ndozvakakodzerana nemi izvozvi nokuti pakati pengwazi dzose dzamarudzi munyika dzavo dzose hamuna akaita semi. Asi izvo mazungairwa namapenzi hapana chaungadzidze kuzvifananidzo zvokunamata nokuti zvimiti chete. Sirivha yakapfurwa yacho, yaibva kuTashishi nendarama ichibva kuUfazi; zvifananidzo zvacho ibasa ramaoko emhizha uye rinoitwa namaoko emhizha dzendarama. Hanzu dzazvo dzinenge dziri tsvuku kana dzoruvara rwehute, zvose izvozvo ibasa renyanzvi dzavanhu. Asi Tenzi ndiye Mwari wechokwadi, ndiye Mwari mupenyu ndiye Mambo wokugara nokugara. Kana aita hasha nyika inondengendeka, uye ndudzi dzavanhu hadzimbogonana nokutsamwa kwake. “Unofanira kuvataurira kuti, vamwari vacho ivavo vasirivo vasiki vematenga napasi, vachaparara panyika uye vachaparara pasi pematenga. “Iye ndiye akaita nyika nesimba rake ndiye akasika nyika noungwaru hwake uye nokunzwisisa kwake akawarira matenga. Paanongoti burutsei muromo mumwechete, mvura inodhiriridza mumatenga. Anoita kuti mhute isimuke kubvira kwakaperera nyika achiita kuti mumvura inonaya muve nemheni achiuyisa mhepo ichibva maanoichengetera. “Munhu wose zvake rangova zungairwa, vanhu vasina ruzivo, mhizha yose yezvendarama ichinyadziswa nezvifananidzo zvayo zvokunamata, nokuti zvifananidzo zvayo zvokunamata ndezvenhando uye hazvina mweya unofema mazviri. “Hazvina kana maturo ese ibasa rounyengedzi, panguva yazvo yokurangwa, zvichaparara. “Iye haana kumboita saizvozvi izvi, iye mugove wevokwaJakobho nokuti ndiye akasika zvinhu zvose uye verudzi rwechiIsiraeri ndivo rudzi rwake rwenhaka. Zita rake rinonzi Tenzi wehondo nehondo. “Sungai, twenyu mutakure, imi vagari venyika yakakombwa nokuti zvanzi naTenzi chinzwai, rwendo rwuno, ndava kuvhiriridzira kure vagari vomunyika muno ndichivapinza nhamo chaiyo vambonzwa kurwadza kwazvinoita. “Maiwe zvangu, inga ndakuvara ini! Ronda rangu rinosiririsa kwazvo! Asi ndakangozviti, nhamo inhamo chokwadi, kwava kutongotirira. Tendhe rangu raparadzwa tambo dzangu dzose dzadamburwa. Vana vangu vandisiya uye havasisipo. Wokundimisirazve tendhe rangu hakusisina, kana wokunditurikirira machira angu okudzikatirisa nokuti vafudzi vacho havana kana musoro havambobvunzawo kuti Tenzi anoti kudii. Ndochakavapa kutadza kubudirira uye kuti danga ravo rose zvaro rezvipfuwo riti mwarara. “Herwo runyerekupe, herwo rwouya! Bongozozo chairo richibva kunyika yokuchamhembe rokuzoita kuti maguta okwaJudha asare angove magutawo zvawo nzvimbo inogara makava.” Nhai Tenzi! Inga ndinoziva wani kuti munhu haasiri iye pachake anozvirongera gwara rokufamba naro, uye kuti pakufamba munhu haasiri iye anozvitungamirira. Imi Tenzi, kundidzora, ndidzorei henyu, asi zviri pamwero musina kushatirwa nokuti mungadaro mukaita kuti pangu pandiperere. Dururirai hasha dzenyu pane vechirudzi vasingakuzivei, uye pamarudzi asinganamati zita renyu nokuti vakazhanya vokwaJakobho vakavazhanya vakaparadzawo musha wavo. Herino izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti, “Teerera unzwe zviri kurehwa nechitenderano ichi, utaurire vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu, uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari weIsiraeri, ‘Ngaapinde rushambwa munhu asingachengeti zviri kurehwa nechitenderano ichi chandakati madzibaba enyu achengete pandakavaburitsa munyika yeIjipiti,’ muvira romoto resimbi ndichiti, ‘Teererai izwi rangu muite zvose zvandinokuudzai, nokudaro muchava vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu, kuitira kuti ndichengete chitsidzo chandakapika kumadzibaba enyu chokuvapa nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi sezvazviri pari nhasi.’ ” Ini ndakapindura ndichiti, “Ngazvive saizvozvo Tenzi.” Tenzi akabva ati kwandiri, “Paridza mashoko ose iwayo mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu uchiti inzwai zvinotaurwa nechitenderano ichi muzviite. Ndinodaro nokuti ndakayambira ndayambirazve madzibaba enyu pandakavaburitsa munyika yeIjipiti ndikaramba ndichivayambira kusvikira pari nhasi ndichingoti, teererai izwi rangu. Asi ivo kuteerera havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo. Asi kuti munhu wose akatotevera zvake zvomusoro wake zvakaipa. Ndokusaka ini ndakaita kuti vawirwe nezvose zvinorehwa nechitenderano ichi chandakati vachengete asi ivo vakarega zvavo.” Tenzi akatizve kwandiri, “Mukati mavanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu mapandukwa. Vadzokerazve muuipi hwamadzibaba avo vakaramba kunzwa zvandinotaura. Vavakutevera vamwe vamwari vachivanamata. Imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha vakatyora chitenderano changu chandakaita namadzibaba avo. Naizvozvo, zvanzi naTenzi, chinzwa, ‘Ndavakuvaunzira nhamo yavasingakwanisi kunzvenga. Kunyange vakachema kwandiri, handisi kuzovateerera.’ Zvino maguta okwaJudha navagari veJerusaremu vachaenda kundochema kuna vamwari ivavo vavanopisira rusenzi, asi havakwanisi kuvanunura munhamo dzavo panguva yenhamo yavo. Nokuti imi vokwaJudha, kuwanda kwakaita maguta enyu ndokuwandawo kwakaita vaMwari venyu. Uyewo sokuwanda kwakaita migwagwa yeJerusaremu ndokuwandawo kwakaita atari dzamakavakira icho chakafumuka ichi, atari dzokupisira rusenzi kuna Bhaari. “Naizvozvo iwe rega kunamatira vanhu ava kana kumbovaisira chichemo kana munyengetero wokuvakumbirira nokuti handisi kuzoteerera kana vodaidzira kwandiri panguva yavo yenhamo. “Iye mudiwa wangu chaachiri kuda mumba mangu chii iye akabata twakaipa twukadai? Idzo mhiko dzenyu nenyama yezvibayiro ndozvingakununurei kunhamo here? Kutoita rurasademo kufara zvenyu nhai? Inga wani Tenzi akambokutii muri muorivhi wakasvibirira une michero yakanaka inoyevedza. Asi noruzha rwedutu guru remhepo achauririmisa nomoto, mapazi awo aroromeswe. “Tenzi wehondo nehondo iye akakusimai ati muwirwe nenhamo pamusana pezvakaipa zvakaitwa nemba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha vachindishatirisa nokupira rusenzi kuna Bhaari.” Tenzi akandiruma nzeve ini ndikabva ndazoziva ndokubva mandiratidza bangano ravo. Asi ini ndakanga ndakapfava sehwayana iri kuendeswa kunourayiwa, ndisingamboziva kuti twavaironga vainge vachitorongereni vachiti, “Ngatiparadzei muti nomuchero wawo, ngatimutsakatisei panyika yavapenyu zita rake ribva rakanganikwa. “Zvino, imi Tenzi; wehondo nehondo munotonga zvakarurama imi munoongorora zviri mumwoyo nomupfungwa dzomunhu dai waro mukaita kuti ndione kuvatsividza kwamunoita nokuti ndakaisa kwamuri zvinondinetsa.” Naizvozvo zvanzi naTenzi panyaya yavanhu veAnatoti vari kuda kupfuudza upenyu hwako vachiti, “Rega kuporofita nezita raTenzi nokuti tingakuuraye namaoko edu aya,” nezvo zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chinzwa, ini ndichavaranga; majaya achafira muhondo yebakatwa. Vanakomana vavo navanasikana vavo vachafa neshangwa yenzara. Hapana achasara nokuti ndichaunza nhamo pavanhu veAnatoti mugore ravo rokurangwa.” Tenzi, pandinokunyunyutirai, imi ndimi munenge muri pachokwadi asi ndinoda kumbokutaurirawo nezvoruenzaniso. Seiko vakaipa vachibudirira mune zvavanoita? Sei vanyengedzi vose vachibudirira? Ndimi munovasima, ivo vanobva vadzika midzi. Vanokura vagotobereka michero, izvozvo musingabve pamuromo pavo, asi mumwoyo mavo munenge imi musimo. Asi imi Tenzi munondiziva munondiona uye munoongorora pfungwa dzangu kwamuri. Vakwekweretsei sehwai dziri kundourayiwa muvatsaurire zuva rorufu. Kusvikira rini chaizvo nyika ichichema nhamo, uswa huchisvava mumasango mose? Pamusana pokuipa wavageremo mhuka neshiri zvatsvairwa nokuti vanhu vanoti, “Mwari magumo edu haamboaona. “Kana wakaneta kumhanya navanhu ko kutozoti namabhiza uchakwikwidzana sei? Kana uchiputsika munyika yakanaka kudai, ko kutozoti mumapinga okuna Jorodhani uchaita sei? “Nokuti kana vakoma, navanun'una vako vemba yokwababa vako; kunyange ivavo vakaita zvounyengedzi kwauri vari kutochema kuti vangakuwane sei, usavanzwe kunyange zvavo vachitaura mazwi akanaka kwauri. “Ndapa gotsi imba yangu, nhaka yangu ndaifuratira, chido chemwoyo wangu ndachikanda mumaoko mavavengi vacho. Kwandiri ini nhaka yangu yaita seshumba zvayo yesango, akandiitira pamuromo ndokusaka ini ndava kutomuvenga. “Ko kwandiri ini, iye nhaka yangu ava here shiri ina matsatsa matsatsa inodya nyama? Akombwa here izvozvi neshiri dzinodya nyama? Endai mundokokorodza mhuka dzose dzesango muuye nadzo dzidye. Vafudzi vakawanda vakaparadza munda wangu wemagirepisi vakatsokodzera mugove wangu, vachiita kuti mugove wangu wakanaka uve renje risina chinhu. Vakauita kuti uve chinhu pasina uri chinhu pasina kudaro unochema kwandiri. Nyika iyoyi yose yangova nyika, asi anombozvifunga hapana. “Pamitunhu yakatunhumara pose zvapo, pasina miti mugwenga'mu, mharadzi dzauya nokuti hondo yaTenzi yebakatwa yoparadza, kubvira kumuganhu wenyika ino kusvikira kwainoperera hakusisina ane rugare. “Vakadyara zvavo koroni, asi minzwa ndoyavakazokohwa, vakanetera pasina. Vachanyara nezvaunokohwa pari pamusana pehasha dzinotyisa dzaTenzi.” Izvi ndizvo zviri kutaurwa naTenzi izvi, kune vamwe vangu vose vakaipa mwoyo vanotambanudzira ruoko nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsiraeri kuti ive yavo achiti, “Chiregai muone ndava kuvadzipura munyika yavo iyoyi, ndichadzura imba yokwaJudha mukati mavo. Mushure mokunge ndavatipura kudaro, ndichavanzwirazve ngoni ndigovadzorerazve mumwe nomumwe kunhaka yake uyezve mumwe nomumwe kunyika kwake. Chichavapo ndechokuti, kana vakazonyatsodzidzawo nzira dzevanhu vangu dzokupika nezita rangu vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu,’ sezvavaingoitawo kurunzira vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo ndopavachavaka vari mukati mavanhu vangu. Asi kuwana rudzi rusinganzwi, ndichanyatsorutipura ndirwuparadze, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Tenzi akandirayira kuti, “Enda utenge jira romutikisha uusungirire muchiuno mako, asi rega kuunyika mumvura.” Saizvozvo ndakatengawo jira romutikisha maereranowo neshoko raTenzi, ndikarisungira muchiuno mangu. Zvino shoko raTenzi rakauyazve kwandiri rwechipiri rikati, “Tora jira riya romutikisha rawakatenga rawakasungira muchiuno, mako usimuke uende kurwizi rwaYufuratesi urivige mumutswe wedombo ikoko.” Saizvozvo ini ndakaenda ndikandoriviga muna Yufuratesi sezvandakaudzwa naTenzi. Mushure memazuva akawanda, Tenzi akati kwandiri, “Chisumuka uende kurwizi rwaYufuratesi undotora ikoko jira romutikisha riya randakati urivige ikoko.” Ipapo ndakaenda kuna Yufuratesi ndikafukura ndikatora jira romutikisha riya paya pandakanga ndariviga onei jira riya ramvungunjika risisina basa. Izwi raTenzi ndoparakauya kwandiri richiti, “Zvanzi naTenzi saizvozvi ndokusakadzawo kwandichaita kuzvikudza kwaJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusaremu. Vanhu vakaipa ivava ava, vanoramba kunzwa zvandinotaura vanoita zvavo musikanzwa vachiita zvomusoro wavo. Vava kushandira vamwe vamwari vachivanamata vachaita sejira irori iri risisina basa. Chiripo ndechokuti sokunyatsobata kunoita jira iroro muchiuno chomunhu ndozvandakaita ini ndikaita kuti imba yose yokwaIsiraeri nemba yose yokwaJudha vanyatsoti kwati kwati neni kuitira kuti ndivewo navanhu uye kuti ndive nezita nomukurumbira nembiri. Asi vakaramba kuteerera, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Zvaunofanira kuvataurira ndezvizvi zvokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Chirongo chose chichazadzwa newaini.’ Ivo vachakuti, ‘Ko isu hatizvizivi here kuti chirongo chose chichazadzwa newaini?’ Saka iwe uvataurire kuti, zvanzi naTenzi, ‘Chomochiziva ndechokuti ini ndichararadzisa vagari vose venyika ino, madzimambo anogara pachigaro choumambo chokwaDhavhidhi navapristi navaporofita navagari veJerusaremu vose.’ Ndichavadhumanisa, madzibaba navana vavo vakomana pamwechete, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Handisi kuzovanzwira tsitsi kana kuvarega kana kuvanzwira nyasha kuti ndirege kuvaparadza.” Teererai munzwe, regai kuzvikudza nokuti Tenzi ava kutaura. Ipai mbiri kuna Tenzi, Mwari wenyu asati aunza rima, musati matatarika pamakomo paita karimarima uye pamunotarisira kuwana chiedza, iye ndopaanotoita kuti rive zarima achiita kuti rive rima rakati kwirindindi. Asi kana mukarega kuteerera ndichakuchemai zvangu muchivande pamusana pokuzvikudza kwenyu ndichisvimha misodzi ichimokoteka zvinosiririsa nokuti vedanga raTenzi vatapwa. Udza mambo namambokadzi wake kuti, “Garai pachigaro chakazvidzika nokuti mukurumbira wechiremba chenyu wakutunuka mumusoro. Maguta okuNegevhu azarirwa; hapasisina wokuazarura. Judha yose zvayo yatapwa, yose zvayo yaendwa nawo kuutapwa.” Simudzai musoro muone vanhu vari kubva nokuchamhembe. Varipi vedanga rawakanga wapiwa vedanga rako rinoyevedza. Muchazoti kudii pavanenge ivo vazviita vatungamiriri venyu vamakadzidzisa imi pachenyu kuti vave vashamwari venyu? Hazvizokurwadzai here samarwadzo omukadzi ari pakusununguka? Kana ukazozviti nechomumwoyo zvauya sei kuti ndiwirwe nezvinhu izvozvi izvi? Chadariso, kukombodza kwouipi hwako saka wafukurwa marokwe wavawo kuitirwa zvoutsinye. Ko munhu muEtiopia angasandure ganda rake here kana iyo ingwe mavara ayo? Kana zvakadaro iwewo ungatoitawo zvakanaka iyewe wajairira kuita zvakaipa. Ndichakutii mwarara sehundi iri kupeperetswa nemhepo yokugwenga. Ndochakowo ichochi, mugove wandakukamurirawo ndizvo zviri kutaura Tenzi nokuti wakandikanganwa ukavimba nezvinhu zvenhando. Ini iyeni ndichakufukura marokwe ndikukwidibire uso nawo uonererwe. Ndakaona zvinhu zvako zvandisingade, uye unzenza hwako nokuhwihwidzira somukono webhiza noufeve hwako hwakafumuka pazvikomo musango'mu. Zvichakuwana Jerusaremu! Kusvikira riniko wakangodai kun'ora. Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya richitaura nezvemvura yakanga yaramba kunaya richiti, “Nyika yeJudha iri mukuchema nhamo magutawo ayo ari kugurukuta, vanhu vayo vachiungudza vakati pasi rakata uye mhere yeJerusaremu yanzwika. “Vanhu vokumba huru vanotuma varanda vavo kumvura. Varanda vanosvika kumatsime, asi havasi kuwana mvura. Vanodzokera nezvirongo zvavo mvura vasina vaora mwoyo vasisazive chokuita vakabata rushaya. “Pamusana pokuti pasi pachiti papata nokushayika kwaita mvura yokunaya panyika, varimi vacho vadumbirwa nazvo vobata rushaya. “Kunyange nhunzvi yemhembwe musango yototiza katsvana kayo kasvava pamusana pokushaya uswa. Madhongi omusango amira pamitunhu yakatunhumara pasina miti achifemereka samakava kuri kutsvaka mhepo yokufema, maziso awo achionera madzerere nokuti hakusisina bundo. “Kunyange zvazvo zvakaipa zvedu zvichitipa mhosva, wanaiwo chamungaite, imi Tenzi nokuda kwezita renyu nokuti umhandupandu hwedu hwanyanya takakutadzirai isu. Nhaimi chitarisiro cheIsiraeri, imi Mununuri wayo panguva yokutambura, madireiko kubva maita somutorwa chaiye munyika muno, kubva matoita here somupfuuri nenzira anoti tsaukirei pakadaro apo omborarapo hake usiku ihwohwo? “Madirei kuita somunhu atenderera musoro, segamba chairo rehondo risingagoni kununura? Nyange zvakadaro zvazvo imi Tenzi muri pakati pedu uye tinodaidzwa nezita renyu, regai henyu kutisiya. “Tenzi ari kutaura shoko rinonangana navanhu ivava rokuti, ‘Kudzunga saizvozvi ndokwavanoda havana kumbozvidzorawo mufambiro. Ndokusaka Tenzi asingavagamuchiri, zvazvino izvi acharangarira uipi hwavo agovarangira zvitadzo zvavo.’ ” Tenzi akanditi, “Rega kunamatira vanhu ava kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka nokuti kunyange zvavo vakatsanya handiteereri chichemo chavo. Kunyange vakapira zvavo mupiro wokupisa kana mupiro woupfu hwembesanwa handiigamuchiri. Changu chandichaita kuvapedza nehondo yebakatwa neshangwa yenzara nedenda.” Ini ndokuti, “Nhai Tenzi Mwari, inga wani vaporofita vari kuvaudza kuti hondo, yebakatwa hamusi kuzomboiona kana kuti kuzova neshangwa yenzara, asi kutoti ndichaita kuti muve norugare chairwo munzvimbo ino.” Tenzi ndokuti kwandiri, “Vaporofita vari kuporofita zvenhema muzita rangu. Handina kuvatuma ini kana kumbovaudza kana kutaura kwavari. Vari kukuitirai chiporofita chokuona zvenhema kushopera zvako kusina namaturo ese, unyengedzi zvahwo hwomusoro wavo. Nezvo zvanzi naTenzi nezvavaporofita ivavo vanoporofita muzita rangu ini ndisina kuvatuma vachitoti, ‘Hondo yebakatwa neshangwa yenzara hazvisi kuzouya munyika muno,’ vaporofita ivava vachaparadzwa nehondo yebakatwa nemvemve yenzara. Vanhuwo vavanoporofitira vacho vachanzi rakata mumigwagwa yeJerusaremu vova ndivo vokufa neshangwa yenzara nebakatwa rehondo pasina anovaviga, ivo navanakomana vavo navanasikana vavo nokuti ndichadurira pavanhu ivavo uipi hwavo.” Vataurire izvi zvokuti: “Chiregai zvenyu meso achiramba achiyerera misodzi siku nesikati pasina zvokumbomira ivo vanhu vangu ava, vakuvadzwa ronda guru kwazvo, varohwa zvinosiririsa kwazvo. “Ndikati ndiende musango'mu hezvo zvitunha zvakarakatiswa nebakatwa rehondo. Kana ndikapinda muguta heyo nhamo yeshangwa yenzara nokuti muporofita nomupristi vose vanobvonga nemunyika iyoyi mose vasina ruzivo.” VokwaJudha matovaramba zvachose here? Mwoyo wenyu wava kusema here vanhu veguta reZioni? Madirei kutipa shamhu yakadai isingarapike? Taitarisira kuwana rugare asi hapana chakanaka chakauya, tichitarisira nguva yokuporeswa asi zvinotyisa ndozvotoona. Tinoreurura uipi hwedu Tenzi, nezvitadzo zvamadzibaba edu nokuti takakutadzirai. Pamusana pezita renyu, chiregai henyu kutiramwa, dai mukaregawo kufumura mbiri yechigaro chenyu choumambo. Dai waro mukarangarira henyu murege kutyora chitenderano chenyu nesu. Kuna vanaani chaizvo pakati pavana mwari vasina maturo vokumarudzi avanhu angagone kunayisa mvura? Kana iwo matenga zvawo angagone nhai kunayisa mvura? Handiti ndimi iyemi Tenzi, Mwari wedu? Chitarisiro chedu tinochiisa mamuri nokuti ndimi munoita zvose izvozvi. Tenzi akazoti kwandiri, “Kunyange dai Mosesi naSamueri vakamirira vanhu ava kwandiri handaimbodzora mwoyo wangu kwavari. Chivabvisa pameso pangu vaende! Kana vakazokubvunza kuti, ‘Kwotoenda kwacho ndokupi?’ iwe uvati zvanzi naTenzi: “Vedenda, vaende kudenda vebakatwa, kubakatwa, veshangwa yenzara, vaende kunzara vokuhutapwa, vaende kuhutapwa. “Ndichavasarudzira zvinhu zvina zvokuvaparadza nazvo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, zvinoti bakatwa rokuvaurayisa nembwa dzokuvabvanzura uye shiri dzedenga nemhuka zvesango dzokuvazhanya nokuvaparadza. Ndichaita kuti zvionese ndondo nyika dzose dzapasi pano pamusana pezvakaparwa muJerusaremu naManase mwanakomana waHezekiya mambo wokwaJudha. “Ndianikowo achakunzwira tsitsi nhaiwe Jerusaremu, kana kuti ndianiwo achakuchema? Ndiani zvake achatsauka achikubvunzawo upenyu? “Wakandirambaka iwe ndizvo zviri kutaura Tenzi. Unoramba uchingodzokera shure chete. Ndokusaka ndakazokubatira shamhu yokukuparadza nayo. Ndaneta nokukuitirai mwoyo murefu. “Ndakavawurutsa neforogo yokuwurutsisa mumaguta enyika iyoyi. Ndakaita kuti vaone nhamo yorufu ndikaparadza vanhu vangu, asi kusiyana nenzira dzavo havana. “Ndakaita kuti chirikadzi dzavo dziwande kudarika jecha rokumakungwa. Ndakaunzira vana amai vemajaya mharadzi zuva rakacheka nyika. Ndakaita kuti kurwadziwa nokutya zvingoyerekana zvavapinda. “Amai vavanomwe vatambura nokuchema, vakarezuka, rakavadokera masikati machena, akanyadziswa akafumurwa, vamwe vacho vose ndichavaurayisa nebakatwa rehondo mumaoko mavavengi vavo, ndizvo zviri kureva Tenzi.” Nhai amai we-e zvangu! Chamakandiberekera, ini zvangu munhu wenharo, ini matatapure munyika ino yose. Handina kukweretesa kana kukwereta munhu asi vose vanondirengerera rushambwa. Tenzi akati, “Handina kukuramba here? Ndingarege here kukuunzira vavengi? Munhu angagone here kutyora simbi, simbi yokuchamhembe nendarira? “Upfumi hwenyu nezvinhu zvenyu zvinokosha ndichazviita kuti zvipambwe mahara munyika yenyu yose pamusana pezvitadzo zvenyu. Ndichakuitai kuti mushandire vavengi venyu munyika yamusingazivi nokuti ndaviruka nehasha; moto ukabaka unoramba uchingobvira nokusingaperi. “Tenzi, imi ndimi munoziva ndirangarireiwo mundishanyire mungonditsividzirawo vanonditambudza. Pamusana pomwoyo wenyu murefu musandipfuudze munozviziva wani kuti kuzvidzwa kwandinako uku kuzvidzirwa imi. “Shoko renyu pandariwana ndarizeya mazwi enyu iwayo aindipa mufaro ariwo angu akanga ari mazwi apamwoyo andinofarira nokuti ndinodaidzwa nezita renyu imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo. “Handina kumbogara muboka ravanhu vamafaro kana kumbopembera nokufara. Ndaingogara ndiri ndoga zvangu nokuti simba roruoko rwenyu raiva pandiri. Ndinodaro nokuti makandizadza nehasha. “Ko iko kurwadzwa kwangu kusingaperi kwakaita seiko, ronda rangu risingarapiki rakaita sei risingapori? Asi kwandiri, munoda kuita sakakova kanonyengedza, semvura inopwa?” Nokudaro zvanzi naTenzi, “Kana ukadzoka ndichakudzorera pabasa rako undishandire. Kana ukataura zvinhu kwazvo usingataure zvinhu zvisina maturo ndiwe uchava muromo wangu, vachadzokera kwauri asi iwewe haudzokere kwavari. “Kuna vanhu ivava ava ndichaita kuti vave rusvingo rwendarira. Vachakurwisa asi havakukuriri nokuti ndinewe ndinokuponesa nokukununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Ndichakuponesa mumaoko mavakaipa ndichikununura kana wabatwa navanhu voutsinye.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Haufanire kuroora mukadzi kana kuva zvako navanakomana kana vanasikana munzvimbo ino nokuti zvanzi naTenzi nezvavanasikana ivavo vanoberekerwa munzvimbo ino uye nezvamadzimai vakavabereka uye nezvemadzibaba akavabereka munyika muno zvinoti: vachafa nezvirwere zvakaipisisa. Havazochemwi kana kuvigwa, vachati pasi pwata pwata sendove pavhu, vapera nebakatwa neshangwa yenzara. Zvitunha zvavo zvichava ndizvo chokudya cheshiri dzedenga nemhuka dzesango. “Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi, usapinde kana kuenda kuimba iine rufu kundoungudza kana kuvachema nokuti rugare rwangu ndarubvisa mukati mavanhu ava uye ndabvisa mavari mwoyochena wangu nomutsa wangu. Vose zvavo vakuru navaduku vachafa munyika muno, havachazovigwa, hapana achavachema kana kuzvicheka-chekera vafi vacho kunyange kuzviveurira ivavo muparavara. Hakuna achazodya nomumwe achimunyaradza kana afirwa, kana kuwanawo chaanonwa nomumwe anenge afirwa nababa kana naamai vake achimunyaradza. “Iwe usapinde mumba yemabiko kundogara uchidya nokunwa navo nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: chiona, ndichagumisa munzvimbo ino imi muchizviona nameso enyu, mumazuva enyu, chikwe-e chokuseka ichi kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho. “Pauchataurira vanhu ivava zvinhu zvose izvozvi, ivo vachakuti, ‘Ko Tenzi atemereiko kuti tiwirwe nepfumvu huru yakadai? Takapareiko? Chitadzo chatakapara kuna Tenzi Mwari wedu ndechei?’ Iwe unofanira kuvataurira kuti, ‘Chikonzero ndechichi chokuti madzibaba enyu akandifuratira, ndizvo zviri kutaura Tenzi uye vakatevera vamwe vamwari vakavashandira nokuvanamata. Uye vakandifuratira vakarega kuchengeta mutemo wangu uye nokuti imi makaita zvakaipa zvinodarika zvakaitwa namadzibaba enyu nokuti mumwe nomumwe wenyu ava kungotevedza zvake musikanzwa womusoro wake muchiramba kunditeerera. Naizvozvo iniwo ndichakukandai kunze kwenyika ino ndichikurasirai kunyika yamusingamboziva imimi kana madzibaba enyu. Ikoko muchashandira vamwe vamwari siku nesikati nokuti handisi kuzokunzwirai tsitsi.’ “Naizvozvo chinzwai munzwe, zvanzi naTenzi, mazuva ari kuuya achapera zvokuti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu, akaburitsa vanhu veIsiraeri munyika yeIjipiti’ asi kutoti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa vanhu veIsiraeri kunyika yokuchamhembe, kubva kunyika dzose kwaakanga avadzingira nokuti ndichavadzorera kunyika yavo yandakapa kumadzitateguru avo.’ “Chinzwai, zvanzi naTenzi ndichatuma varauri vazhinji vavabate. Mushure macho ndichatuma vavhimi vazhinji vakuvhimei mumakomo mose nomuzvikomo zvose nomumapako nokuti kuita kwavo kwose ndinokuona mumaziso mangu, hapana chakavanzika kwandiri. Kunyange kuipa kwavo hauna kuvandika mumaziso mangu. Zvino ndava kutanga kuvarangira kakapetwa uipi hwavo nechitadzo chavo nokuti vakan'oresa nyika yangu nezvitunha zvezvifananidzo zvavo zvokunamata zvinosemesa vachizadza nhaka yangu nezvinhu zvavo zvandisingadi.” Imi Tenzi imi simba rangu nenhare yangu yokuhwanda hondo diziro rangu pazuva renhamo, kwamuri ndokuchauya marudzi avanhu achibva kwakaperera nyika achiti, “Madzibaba edu akawana nhaka yezvinhu pasina, zvinhu zvamanyepo zvinhu zvisina maturo, zvisina chimuko. Ko munhu angazvigadzirire vamwari here? Zvinhu zvakadaro hazvisi vamwari. “Naizvozvo, chinzwa, ndichaita kuti vazive, rwendo runo ndichaita kuti vazive simba rangu noukuru hwangu ndipo pavachazoziva kuti ini ndini ndinonzi Mwari. “Chitadzo chevokwaJudha chakanyorwa nepenzura yesimbi ine muromo wedhaimondi, chakaita zvokutemerwa pafendefa remwoyo wavo uye napazvinenge nyanga zvapakona dzeatari dzavo. Izvozvo vana vavo pfungwa dzinenge dziri kuatari dzavo nokuzvifananidzo zvavo zvokunamata zvinomiririra Ashera pasi pomuti wose wose wakasvibira nomuzvikomo zvirefu nomumakomo musango umu. Upfumi hwenyu nezvose zvamunazvo zvakakosha ndichaita kuti zvipambwe somubayiro wezvitadzo zviri munyika yenyu yose zvayo. Imi nhaka yandakakupai muchairegedza ndichikuitai kuti mushandire vavengi venyu munyika yamusingazivi nokuti ndaviruka nehasha, moto ukabaka unoramba uchingobvira.” Zvanzi naTenzi, “Ane rushambwa munhu anovimba nomunhu, anoti munhu, ndiye simba rake ane mwoyo wokufuratira Mwari. “Akafanana negwenzi riri mugwenga hapana chakanaka chaanowana. Achagara munzvimbo dzakaoma dzomugwenga, munyika yebare isingagare munhu. “Akakomborerwa munhu anovimba naTenzi, munhu ane chivimbo naTenzi akaita somuti wakasimwa pamvura unoendesa midzi yawo mukakova hauzozeza kupisa kana kuchiuya nokuti mashizha awo anoramba akasvibira uye hauzotyira gore rokushaikwa kwemvura nokuti haumborega kubereka muchero. “Mwoyo unonyengedza kupfuura zvinhu zvose zvazvo uye wakaora nouipi ndiani angaunzwisise husingarapiki. Ini Tenzi ndinoongorora mwoyo ndichipenengura pfungwa dzomunhu kuti ndipe munhu wose maererano nomugariro wake, uye maererano nezviito zvake.” Sezvinoita hware kuunganidza nhiyo dzaisina kuchechenya, ndozvinoita munhu anowana upfumi zvisina mvumo. Huchamukurumuka pamazuva oupenyu hwake achagumisira ava benzi romunhu. Nzvimbo yedu Inoera, chigaro choumambo chomukurumbira chakaiswa pakakwirira kubvira pakutanga chaipo. Imi Tenzi, chitarisiro cheIsiraeri, vose vanokufuratirai imi vachanyadziswa. Vanenge vachiipa gotsi vachanyorwa pavhu nokuti vakafuratira Tenzi tsime remvura mhenyu. Ndirapeiwo Tenzi kuti ndipore ndinunureiwo ndipone nokuti ndimi wandinorumbidza. Hezvika vava kunditi, “Ko zvinorehwa naTenzi zvacho zviripiko? Ngazviuyeka!” Handina kukumanikidzirai kutumira zvakaipa kana kusuwira zuva renhamo, imi munozviziva. Hapana chakabuda pamuromo pangu chamusingazivi. Regai kundityisa imi ndimi diziro rangu pazuva renhamo. Nyadzisai vanonditambudza asi ini murege kundinyadzisa ngavavhiringike nazvo asi ini ndirege kuvhiringika. Vaunzirei zuva renhamo munyatsovaparadza zvokuparadza zviya. Tenzi akanditi, “Enda undomira paSuo Guru raVanhu panopindwa nokubudiwa napo namadzimambo okwaJudha uye nepamisuo yose mikuru yeJerusaremu, uti, ‘Imi madzimambo okwaJudha nemi mose vokwaJudha navagari vose veJerusaremu vanopinda napamisuo mikuru iyoyi, inzwai shoko raTenzi.’ Zvanzi naTenzi, zvichenjererei upenyu hwenyu murege kutakura mutoro musi weSabata kana kupinda nawo napamisuo mikuru yeJerusaremu. Regaiwo kutakura mutoro muchibuda nawo mudzimba dzenyu nomusi weSabata kana kuita basa ripi neripi zvaro. Asi eresai zuva reSabata sokuudza kwandakaita madzibaba enyu. Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve yavo asi kuti vakatoomesa musoro kuti varege kunzwa kana kudzidzisika. “Tenzi ari kuti asi kana imi mukanditeerera mukaregawo kupinda nomutoro nomumisuo mikuru yeguta rino pazuva reSabata muchieresa zuva reSabata musingaite basa pazuva iroro, pakadarowo madzimambo namadzishe anogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi vachapinda napamisuo mikuru yeguta rino vari mungoro dzehondo dzamabhiza ivo namachinda avo vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu uye guta rino richagarwa narini narini. Vanhu vachakurumuka vachibva kumaguta okwaJudha nenzvimbo dzomunharaunda meguta reJerusaremu vachibvawo kunyika yokwaBhenjamini nokunyika yoKumanhika nokunyika yamakomo nokuNegevhu vachiuya nemipiro yokupisa nezvibayiro nemipiro youpfu hwembesanwa norusenzi vachiuyawo nemipiro yokutenda kumba yaTenzi. Asi kana mukarega kunditeerera kuti muerese zuva reSabata muchirega kutakura mutoro nokupinda nayo napamisuo mikuru yeJerusaremu pamusi weSabata, nezvo ini ndichabatidza moto mumisuo mikuru yaro ucharoromesa mizinda yeJerusaremu usingadzimiki.” Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi rikati, “Chisumuka udzike kumba yomuumbi wehari, ikoko ndichaita kuti unzwe shoko rangu.” Saizvozvowo ndakadzika kumba kwomuumbi wehari onei achiumbira zvinhu pane chokuumbira chinotenderera. Zvino mudziyo waakanga achiumba nevhu iroro wakakanganisika uri mumaoko make kudaro akabva aumbazve mumwe mudziyo naro sokuda kwake. Izwi raTenzi ndokubva rauya kwandiri richiti, “Nhai imi vemba yeIsiraeri ndinotadza here kuita nemi zvaitwa nomuumbi uyu? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chinzwai, sezvakangoita munyakwe uri mumaoko omuumbi ndozvamakangoita imi mumaoko mangu, imi vemba yaIsiraeri. Nguva yose yandinenge ndataura chinhu ndakananga rudzi rwavanhu, kana nyika kuti ndichaidzipura kana kuipaza kana kuiparadza uye kana rudzi rwavanhu ivavo rune zvandinenge ndataura zvacho rukapinduka pakuipa kwarwo neniwo ndinobva ndaregawo kuita zvakaipa zvandinenge ndambofunga kuti ndiite kwarwuri. Uyewo nguva yose zvayo yandinenge ndatemera rumwe rudzi rwavanhu kana imwe nyika kuti ndichaivaka ndigoisima, kana rudzi rwacho irworwo rukaita zvakaipa ruchirega kuteerera izwi rangu, ini ndinobva ndasandukawo ndorega kuruitira zvakanaka zvandakanga ndaronga kuruitira. Saka zvino wochitaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, ndiri kukurongerai nhamo, ndiri kukurukirai mazano okukutsvatai. Pindukai, munhu wose akande pasi nzira dzake dzakaipa mugadziridze mafambiro enyu namaitiro enyu.’ “Asi ivo vanoti, ‘Hazvina maturo izvi. Tinotevera zvirongwa zvedu mumwe nomumwe achitevera zvake zvomusoro wake zvakaipa.’ ” Naizvozvo, zvanzi naTenzi: “Imbobvunzaiwo pakati pevechirudzi kuti ndiani akambonzwawo zvakadai sezvizvi? Mhandara iyi, Isiraeri yakaita zvinhu zvakaipisisa kwazvo. “Chando cheRebhanoni chinombopera here pazvikangararwe zveGomo reSirioni? Mvura yomugomo inombopwa here kuerera, tukova tune mvura inotonhorera? “Asi vanhu vangu vandikanganwa. Vanopisira rusenzi kuna vamwari vasirivo vanogumburwa munzira dzawo, nzira dzakare vakapinda mutwunzirawo zvatwo kwete mumigwagwa mikuru vachiita kuti nyika yavo ive chiseko chaicho chinhu chinoridzirwa zvacho tsamwa narini wose. “Munhu wose anopfuura nemairi anokatyamadzwa nazvo achidzungudza musoro wake. “Sezvinoita mhepo yokumabvazuva, ndichavamwayanisa kuvavengi. Ndichavapa gotsi ndisingambovatarisa pazuva ravo renhamo.” Vanhu ndopavakati, “Uyai tironge mazano okutsvata nawo Jeremiya nokuti kuvapristi mutemo hauzofa wakarova kunyange zano kuna vangwaru harimboperi, kana irowo shoko rinobva kumuporofita. Uyai timutape mukanwa, tirege kumboteerera zvedu zvaanotaura. “Imi Tenzi, Teererai munzwe chichemo changu. Ko zvakaipa zvingave ndizvo here zvokutsiva nazvo zvakanaka? Asi vakandicherera hunza kuti vandiurayire imomo. Rangarirai kumira kwendakaita pamberi penyu ndichivareverera kuti mudzore hasha dzenyu kwavari. Naizvozvo pinzai vana vavo mushangwa yenzara vaparadzwe namapakatwa, vadzimai vavo vasare vasisina vana, dzangove chirikadzi varume ngavafe nedenda, majaya avo aurayiwe nebakatwa muhondo. Mudzimba dzavo ngamuve nokuchema, pamunoerekana mavaunzira muurayi, nokuti vakandicherera hunza kuti ndiwiremo, vakateyera tsoka dzangu misungo. Asi imi Tenzi munoziva bangano ravo rokuda kundiuraya. Musavaregerere uipi hwavo kana kubvisa chitadzo chavo pameso penyu. Vadzadzarisei pamberi penyu makashatirwa.” Zvanzi naTenzi, enda utenge hari yevhu yomuumbi utore vamwe vavakuru vakuru vavanhu navakuru vakuru vavapristi ubude uende kuBani reMwanakomana wokwaHinomu panopindwa napo kuSuo Guru reZvimedu Zvehari undoparidza ikoko mazwi andinokutaurira. Uti, “Inzwai izwi raTenzi imi madzimambo okwaJudha nemi vagari veJerusaremu. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri chionai ndavakuzounzira nzvimbo ino nhamo inowungisa nzeve dzaani naani anozvinzwa. Chikonzero chacho ndechokuti vanhu vakandifuratira vakan'oresa nzvimbo ino nokupisira rusenzi mairi kuvamwe vamwari vasingazikanwi naivo kana namadzibaba avo kana namadzimambo okwaJudha uye pamusana pokuti vakazadza nzvimbo ino neropa ravanhu vasina mhosva vachivakawo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira kuna Bhaari dzokupisira vanakomana vavo mumoto semipiro yokupisira kuna Bhaari yandisina kumbotema ini kana kupa somutemo uye hazvina kana kumbouya mupfungwa dzangu. Naizvozvo, onai, zvanzi naTenzi kuchasvika mazuva okuti nzvimbo iyoyi haizombonzizve kuBisiro kana kunzi kuBani raMwanakomana wokwaHinomu. Asi kuchatonzi kuBani rokuDeurirwa ropa. Panzvimbowo iyoyi mazano evokwaJudha novokuJerusaremu ndichaashayisa basa uye ndicharakatisa kuuraya vanhu ivavo nebakatwa revavengi vavo nomumaoko mavanoda kupfuudza upenyu hwavo. Ndichapa zvitunha zvavo kuti zvive chokudya cheshiri dzedenga nemhuka dzesango. Guta irori ndichariita chiseko zvacho chenyika, chinhu chinoridzirwa tsamwa. Munhu wose anopfuura nepo achadumbirwa nazvo achiridza tsamwa pamusana penyatwa dzaro dzose. Ndichaitawo kuti vadye nyama yavanakomana vavo nenyama yanavanasikana vavo. Vachadyanana vose zvavo munhamo yavo iyoyo yokukombwa yavanenge vachioneswa navavengi vavo uye navanenge vachitsvaka kuvatsvata. “Unofanira kuzoputsa hari yacho varume vaunenge waenda navo ivavo vachiona wozoti kwavari, zvanzi naTenzi wehondo nehondo ndizvo zvandichaita kuparadza saizvozvi vanhu ivava neguta irori somunhu ari kuputsa mudziyo womuumbi zvokuti hauzombofa wakagadzirikazve. Vachatoviga vanhu kuBisiro pamusana pokuti kumwe kose kuchange kusisina nzvimbo yokuviga vanhu. Zviri kunzi naTenzi ndozvandichaita kunzvimbo ino nokuvagari vayo, guta rino iri richiitwa Bisiro. Dzimba dzeJerusaremu nemizinda yamadzimambo okwaJudha, padzimba dzose zvadzo dzina matenga akambopisirwa rusenzi pamusoro padzo ruchipirwa kugurusvusvu rose rezvinhu zvomudenga pachidururirwa mipiro yokuteura kuna vamwe vamwari dzichan'oreswa sezvichaitwawo nzvimbo yokuBisiro.” Jeremiya akazobva kuBisiro kwaakanga atumwa naTenzi kuya kundoporofita akandomira kunhandare yemba yaTenzi akataura kuvanhu vose kuti: “Zvanzi naTenzi, wehondo nehondo Mwari weIsiraeri chinzwai, ndava kuunzira guta rino notumaguta twaro twose zvinhu zvose zvakaipa zvandakamboreva nezvaro nokuti vakaomesa musoro vachiramba kunzwa zvandinoreva.” Izvozvo mupristi Pashuri mwanakomana waImeru akanga ariye mukuru mukuru aiona yezvepamba paTenzi akanzwawo Jeremiya achiporofita zvinhu izvi. Ipapo Pashuri akarova muporofita Jeremiya akamuisa muchitokisi chaiva paSuo Guru rokwaBhenjamini rokumusoro kwemba yaTenzi. Ramangwana racho, Pashuri paakasunungura Jeremiya muchitokisi, Jeremiya akati kwaari, “Tenzi haana kukupa zita rokuti Pashuri asi rokuti, ‘Nyakukombwanezvinotyisa.’ Nokuti Tenzi ari kuti; ‘Chiona ndichakupinza mune zvinotyisa iwe neshamwari dzako dzose. Vacharakatiswa nebakatwa revavengi vavo iwe makatarisa nameso ako. Uye ndichaisa Judha yose mumaoko mamambo weBhabhironi, achavatapa oenda navo kuBhabhironi achivauraya nebakatwa. Uyewo ndichapa upfumi hwose hweguta rino nezvose zvarinowana nezvinokosha zvaro zvose nezvinhu zvose zvazvo zvinokosha zvamadzimambo okwaJudha mumaoko mavavengi vavo, vachavapamba vachivabata vachiendwa navo kuBhabhironi. Zvino iwe Pashuri, navose vagere mumba mako muchaendwa nemi kuutapwa. KuBhabhironi munotokuenda, ikoko ndokwamuchandofira, ikoko ndokwamuchavigwa, iwe neshamwari dzako dzose dzawaitaurira chiporofita chenhema.’ ” Imi Tenzi makandinyengedza, ini ndikabvuma kunyengedzwa. Imi makasimba kupinda ini uye imi makandikurira. Ndava chiseko chenyika zuva rose. Munhu wose anondisvoveredza. Nokuti pandinoti nditaure, ndinoshevedzera ndichidaidzira ndichiti, “Hecho chisimba noumharadzi!” Nokuti shoko raTenzi rave kwandiri chinhu chinondishoresa nokundisekesa zuva rose. Ndikati nditi, “Handichambofunga nezvake kana kutaurazve nezita rake,” mumwoyo mangu munoita somune moto unopisa wakapfigirwa mumapfupa angu, zvandikunda ini, handichazvigona. Nokuti ndiri kunzwa vazhinji vachiita kazevezeve, mativi ose zvangove zvinotyisa. “Mumhan'arirei! Ngatimumhan'arirei,” ndizvo zviri kutaura shamwari dzangu chaidzo dzose dzakangotarisira kuti pangu pandiperere, vachiti zvimwe angafuririke tikamukurira tobva tamutsividza. Asi Tenzi aneni somurwi wehondo anotyisa. Naizvozvo vanondionesa ndondo vachagumburwa uye havambondikunda. Vachanyadziswa zvikuru nokuti havasi kuzombobudirira. Kunyadziswa kwavo kusingaperi hakusi kuzombofa kwakakanganikwa. Imi Tenzi wehondo nehondo munoedza wani vakarurama, imi munoona mumwoyo nomupfungwa dzomunhu, itai henyu kuti ndione imi muchivatsividza nokuti ndazviturira mumaoko menyu. Imbirai Tenzi rumbidzai Tenzi nokuti akanunura upenyu hwavasina chavanacho mumaoko mevaiti vezvakaipa. Ngarive norushambwa zuva randakaberekwa musi wandakaponwa namai vangu, ngaurege kuva musi wakakombererwa. Ngaapinde rushambwa munhu akaunza kuna baba vangu shoko rokuti, “Maberekerwa mwana mukomana,” achivaita kuti vafare zvikuru kwazvo. Munhu iyeyo ngaaitwe samaguta akaparadzwa naTenzi asingaanzwirwi tsitsi. Ngaanzwe mhere yokuchema mangwanani nemhere yokuyambira, masikati nokuti akarega kundiuraya ndichiri munhumbu maamai zvokuti amai vangu ndivo vangadai vakava guva rangu, nhumbu yavo yakaramba zvayo yakakura. Chaizvoizvo ini ndakabudirei munhumbu ini, kuzoona nhamo ndichisuruvara kudai nokupedzera mazuva angu mukunyadziswa? Herinoi shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi, mambo Zedhekiya paakatuma kwaari Pashuri mwanakomana wokwaMarikiya nomupristi Zefaniya mwanakomana wokwaMaaseya neshoko rokuti, “Tibvunzireiwo kuna Tenzi tinzwe kuti anoti kudii nokuti Nebhukadhireza mambo weBhabhironi ari kurwa hondo nesu. Zvimwe Tenzi angadaro akatiitira zvinoshamisa zvose zvaanosiita akaita kuti asiyane nesu aende.” Jeremiya akabva ati kwavari, “Endai mundotaurira Zedhekiya kuti, zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ndichaita kuti zvombo zvehondo zvamakapakata mumaoko menyu zvamuri kurwisa nazvo mambo weBhabhironi muchirwisa vanhu vechiKaradhia vakakukombai nechokunze kwetsvingo zvikupindukirei. Ndichazviunganidza pamwechete mukati meguta rino. Ini ndichakurwisai noukuru hwangu nesimba guru roruoko rwangu ndakaviruka nehasha ndakashatirwa zvikuru kwazvo. Izvozvo ndicharova vagari veguta rino, vanhu pamwechete nemhuka zvichafa nedenda guru. Zvanzi naTenzi, mushure mezvo ndichaisa Zedhekiya mambo wokwaJudha namakurukota ake navanhu vomuguta rino vachapunyuka kudenda nokubakatwa nokushangwa yenzara mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi, uye mumaoko mavavengi vavo, nomumaoko mavanhu vanotsvaga kupfuudza upenyu hwavo. Achavarakasha nebakatwa asinganzwire tsitsi kana kuvasiya vari vapenyu kana kuvaitira tsiye nyoro.” Kuvanhu ivava ava enda undoti, “Zvanzi naTenzi, chinzwai, ndaisa pamberi penyu, uku nzira yokuupenyu uku nzira yokurufu. Anenge agara muguta rino achafa nebakatwa neshangwa yenzara nedenda. Asi anenge abuda kundozviisa mumaoko avaKaridhea vakakukombai achararama uye upenyu hwake ndohwaachawana somubayiro wehondo nokuti zvino ndanyatsotarisana chaizvo neguta rino kuti ndiripinze nhamo kwete kuriitira zvakanaka. Ndizvo zviri kutaura Tenzi, richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi acharipisa nomoto.” Kune vemba yamambo wokwaJudha, “Inzwai shoko raTenzi imi vemba yokwaDhavhidhi! Zvanzi naTenzi: “Tongai zvine ruenzaniso achiri mangwanani, mununure waro mumaoko omunhu anoonesa vamwe ndondo; munhu anenge apambwa ndingadaro ndikaviruka nehasha somoto unopisa usina angaudzimure pamusana pezviito zvenyu zvakaipa. “Zvanzi naTenzi, chinzwa, izvozvi handichawirirana newe iwe mugari womubani, iwe dombo romubani. Imi munozviti, ‘Ndiani chaizvo angadzike kuzotidenha, ndiani chaizvo angapinde mudzimba dzedu isu?’ “Ndichakuranga zvakakodzerana nezvinobva mukuita kwako, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichabatidza moto mumasango mako ucharoromesa zvose zviri munharaunda yako.” Zvanzi naTenzi, “Dzika kumba yamambo wokwaJudha undotaurako shoko iri rokuti: ‘Iwe mambo wokwaJudha ugere pachigaro choumambo chokwaDhavhidhi, iwe namakurukota ako navanhu vako vanopinda napamisuo mikuru iyi, zvanzi naTenzi. Zvanzi naTenzi itai zvinhu zvine ruenzaniso, zvakarurama muchinunura munhu anenge apambwa mumaoko maanenge achimuonesa nhamo achimudzvanyirira. Uye musakanganisire kana kuitira utsinye mutorwa kana nherera kana chirikadzi kana kudeura ropa risina mhosva munzvimbo ino.’ Ndinodaro nokuti mukanyatsoteerera chaizvo shoko irori, pamisuo mikuru yemba ino iyi pachazopinda madzimambo achazogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi vari mungoro dzehondo napamabhiza, ivo namakurukota avo navanhu vavo. Asi kana mukarega kuteerera mazwi aya, zvanzi naTenzi, ndinopika neni pachangu kuti imba ino ichava dongo, nokuti zviri kutaura Tenzi zvinonangana nemba yamambo wokwaJudha ndezvizvi zvokuti: “Kwandiri ini, iwe unoyevedza senyika yokwaGireadhi kudai uye somutunhu chaiwo wakakwirira weRebhanoni asi ndichanyatsokuita gwenga zvaro, guta risina ageremo. Ndichavarongera mharadzi dzokuvapadza imwe neimwe nezvombo zvayo zvehondo. Dzichatemera pasi iyo misidhari yako yakaisvonaka vagoikanda mumoto. “Marudzi avanhu akawanda achadarika napaguta irori, munhu wose achitaurirana nomumwe wake achiti, ‘Tenzi akadarirei chaizvo kubva aita chinhu chakadai kuguta iri rakakura sezvizvi?’ Ipapo vachapana mhinduro yokuti, ‘Chikonzero chacho ndechokuti vakafuratira chitenderano chaTenzi, Mwari wavo vakanamata vamwe vamwari vachivashandira.’ ” Anenge afa musamucheme kana kuchema nhamo yake asi kuti motohwihwidza kuchema zvinosiririsa uyo anoenda nokuti haachadzokizve kuzoona nyika yaakaberekerwa nokuti zvanzi naTenzi nezvaSharumu naSharumu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha uya akazotonga panzvimbo yababa wake Josiya, Sharumu uya akazoenda achibva kunzvimbo kuno, “Haasi kuzombodzokazve kuno. Asi kuti kwaanenge aendwa naye senhapwa, ndokwaachafira ikoko uye nyika ino haazombofa akaionazve.” Ane nhamo munhu anovaka imba yake nokusarurama, dzimba dzake dzemunhurikidzwa achidzivaka nezvinhu zvisiri pamutemo achiita kuti mumwe amushandire pasina, asina kana chaanomutambirisa achizviti, “Regai ndizvivakire zimba gurusa, rine munhurikidzwa ine dzimba dzakafara kwazvo.” Izvozvo anoichekera muhwindo achiiti kumadziro uku tsveete kuroverera musidhari nokuipenda nependi tsvuku. Heya wava kutofungawo kuti uri mambowo nhai pamusana pokukwikwidzana navamwe nezvomusidhari izvozvi izvi? Handiti baba vako vaidya nokunwa vachiita zvinhu zvine ruenzaniso zvakarurama? Saka zvinhu zvakavafambirawo zvakanaka. Vaitonga zvichemo zvavarombo nezvavasina chavanacho zvikabva zvavafambira zvakanaka. Zvanzi naTenzi, “Hakusiri iko kundiziva here ikoko? “Asi meso nomwoyo wenyu zviri pakubiridzira chete nokudeura ropa risina mhosva nokuita udzvinyiriri noutsinye. “Ndokusaka Tenzi achitaura nezvaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo weJudha achiti: “Havasi kuzombomuchema. Vachiti, ‘Maiwe-e hama yangu!’ Kana kuti, ‘Yowe-e hanzvadzi kani!’ Havasi kuzombozviita zvokuchema vachiti, ‘Maiwe-e kani Tenzi!’ Kana kuti, ‘Changamire kani!’ “Achavigwa sedhongi zvaro achiita zvokuzvuzvurudzwa napasi agonzi hupukupu kukandwa kunze kwemisuo mikuru yeJerusaremu.” Kwira kuRebhanoni uridze mhere ubongomore uri kuBhashani uridze mhere uri kuAbharimu nokuti vadiwa vako vose vaparadzwa. Ndakataura newe uchakagarika, asi iwe wakati, “Zvokuteerera, handidi!” Ndiwo maitiro ako kubvira pauduku hwako okurega kuteerera inzwi rangu. Mhepo ndoichafudza vafudzi vako vose. Vadiwa vako vose vachaendeswa kuutapwa. Ipapo uchanyara uchikangaidzwa nazvo, pamusana pouipi hwako hwose. Iwe chidza cheRebhanoni nyakurererwa mudendere pakati pemisidhari uchanzwisa tsitsi pauchabatwa namarwadzo, marwadzo soumukadzi ari pakusununguka mwana. “Zvanzi naTenzi, hezvino ndiripo kudai, kunyange zvazvo iye Koniya mwanakomana waJehoyakimu mambo wokwaJudha ariye ringi rechidhindo rokuruoko rworudyi rwangu asi ini ndichakubvarura ndigokuisa mumaoko avanotsvaka kupfuudza upenyu hwako, mumaoko aivo vaunotya, mumaoko aNebhukadhireza mambo weBhabhironi uye mumaoko mevanhu vechiKaridhea. Iwe namai vakakubereka ndichakukandai kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa ikoko ndokwamuchafira. Asi kunyika kuno kwavanenge vosuwira kudzokera, havasiri kuzodzokerako. “Ko iye Koniya wava munhu akashoreka here kana kuti hari zvayo yakaputsika, mudziyo usina ani anouchengeta? Ko iye navana vake vanzarirwei kubva vakandwa kunyika yavasingazive?” Nhai nyika! Nyika wee! Iwe nyika! Teerera shoko raTenzi! Zvanzi naTenzi, “Nyora munhu uyo somunhu asina mwana, munhu asingazofa akabudirira mumazuva ake oupenyu nokuti hapana nomumwe wechizvarwa chake achazombogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi achitongazve kwaJudha.” Zvichavawana vafudzi vanoparadza vachimwararisa hwai dzamafuro angu! Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Naizvozvo Tenzi, Mwari weIsiraeri ari kutaura zvinonangana nemi vafudzi iyemi munochengeta vanhu vangu achiti, “Makamwararisa danga rehwai dzangu, mukadzidzinga mukarega kudzifudza. Chinzwai, zvino ini ndava kunangana nemi pamusana pezviito zvenyu zvakaipa ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ipapo ndopandichakokorodza danga rehwai dzangu dzinenge dzasara kunyika dzese kwandakambodzidzingira ndivaunze mudanga ravo, vachaberekana vagowanda. Ndichavaisira vafudzi vokuvachengeta, uye zvokutya vasisatyi kana kudumbirwa zvako; hakuna kana neimwe icharasika ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Chionai, zvanzi naTenzi, “Mazuva achasvika andichamutsira Dhavhidhi Bazi rakarurama iyeyo achazotonga samambo zvino ungwaru achitonga zvino ruenzaniso zvakarurama munyika muno. Mumazuva ake iyeyu nyika yokwaJudha ichanunurwa, Isiraeri ichagarikika zvakanaka. Iri ndiro zita ravachamudaidza naro rokuti, ‘Tenzihururamihwedu.’ “Naizvozvo, chinzwai, zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya acharega vanhu kupika vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa vanhu veIsiraeri munyika yeIjipiti’ asi kutoti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa akatungamirira zvizvarwa zvemba yeIsiraeri kubva kunyika yokuchamhembe uye kubva kunyika dzose kwandakanga ndavadzingira.’ Ndipo pavachazogara munyika yavo chaiyo. “Maererano nezvevaporofita zvandirwadza mumwoyo; zvandisvika pamapfupa chaipo. Ndaita somunhu araradza somunhu adhakwa newaini pamusana paTenzi uye pamusanawo peshoko rake rinoera nokuti nyika yazara mhombwe, pamusana pokurengererwa nyika iri kuchema uye mafuro okurenje aoma. Chavo chavakananga kuipa chete, simba ravo vachiripedzera mukuita zvisina kururama. “Vose zvavo muporofita nomupristi havambotya Mwari kunyange nomumba mangu kuipa kwavo ndakakuona ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Naizvozvo kwavari ivo nzira yavo ichava sotunzira tunotsvedza murima mavachatinhirwa vachitsvedzemuka nokuti ndichavapinza nhamo mugore rokurangwa kwavo, ndizvo zvinotaura Tenzi. “Muvaporofita vokuSamaria, ndakaona chinhu chisina musoro chokuti vakaporofita naBhaari. Vakateteresera vanhu vangu veIsiraeri kusiko. “Kana muvaporofita vomuJerusaremu ndakaonawo chinhu chakaora kwazvo chokuti vanoita upombwe vachitevedza nhema zvadzo vachitsigira vaiti vezvakaipa zvokuti hapana anozopinduka achisiyana nouipi hwake. Kwandiri ini, vose zvavo vaita seSodhomu, navagari vacho vaita seGomora. “Naizvozvo Tenzi wehondo nehondo ari kutaura nezvevaporofita ivavo achiti: ‘Chinzwa, ndichadyisa vanhu ivava gavakava, ndichivapa mvura yokunwa ine chepfu nokuti muvaporofita vomuJerusaremu ndimo makabva zvokurega kutya Mwari zvikatekeshera nenyika iyoyi yose.’ ” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Musateerere zvinorehwa navaporofita vanoporofita kwamuri vachikuzadzai nezvitarisiro zvisina maturo. Vanotaura nezviratidzo zvomusoro yavo zvisingabvi mumuromo waTenzi. Kune vanhu vanoshora shoko raTenzi vanoramba vachingovati, ‘Zvichakunakirai!’ Uye kune wosewo anenge achitevera zvomusoro wake, vanenge vachingoti, ‘Hapana chakaipa chichakuwira.’ “Chiripo chaicho ndechokuti pakati pavo, ndiani chaizvo, akambopindawo mudare raTenzi kundozvionera nokunzwa shoko rake, kana kuti ndiani zvake akamboteerera nokunzwa shoko rake? “Hero dutu remhepo raTenzi rovhuvhuta rakashatirwa chaizvo riri chamupupuri chaicho chine simba chichaputikira pamusoro pavanhu vakaipa. “Hasha dzaTenzi hadzichadzoreki kusvikira atopedza kuita zvaakaronga mumwoyo make. Mumazuva okupedzisira uchanyatsonzwisisa. “Vaporofita ivavo ini handina kuvatuma asi ivo vari kumhanya. Ini handina zvandakataura kwavari asi ivo vari kuporofita. “Dai kuri kuti vakambopindawo mudare rangu, vangadai vakaparidza mazwi angu kuvanhu vangu, vangadaiwo vakavadzora munzira dzavo dzakaipa nokuzviito zvavo zvakaipa. “Tenzi ari kuti ko ndiri Mwari ari pedyo chete, handisi Mwari ari kurewo here? Iye munhu angagone nhai kubva ahwanda munzvimbo dzokuvanda zvokubva ndatadza kumuona? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Handiti ini ndinozadza denga nenyika here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndakazvinzwa zvinotaura vaporofita vachiporofita zvenhema muzita rangu vachiti, ‘Ndarotswa! Ndarotswa!’ Kusvikira riniko chaizvo mukati mavanhu muine vaporofita vanotaura zvenhema vachiporofita zvomusoro wavo, vanoda kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu pamusana pezviroto zvavo zvavanotaurirana sezvakazoita madzibaba avo vakakanganwa zita rangu voyeuka raBhaari. Regai muporofita ane chaarota arotomoke zvake, asi munhu ane shoko rangu ngaaritaure sezvazviri. Musvo wekoroni namashanga hapana maenzanisiro aungazviite? Ndizvo zvinotaura Tenzi. Izwi rangu harina kuita somoto here, ndizvo zviri kutaura Tenzi kana senyundo inopwanya-pwanya mabwe? Naizvozvo chionai zviri kunzi naTenzi handiwirirani navaporofita ivavo vanobirana mashoko avanoti anobva kwandiri. Chinzwai, ini handiwirirani navaporofita vanoshandisa rurimi rwavo vachiti, ‘Zvanzi naTenzi,’ kana kuti, ‘Ndizvo zvinotaura Tenzi.’ Chinzwai, ini handiwirirani navanoporofita vanotaura kurotswa kwenhema. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vanozvitaura vachitungamirira vanhu vangu kusiri iko nenhema dzavo nokushaya hanya kwavo ini ndisina kumbovatuma kana kuvaudza kuti vaite. Naizvozvo hapana chavanombobatsira vanhu ava nacho. Ndizvo zvinotaura Tenzi. “Kana mumwe munhu, muporofita kana mupristi, akubvunzai achiti, ‘Mutoro waTenzi ndoupi?’ Vataurirei kuti, ‘Iyemi ndimi mutoro wacho.’ Ini ndichakukandai kwakadaro, ndizvo zvinotaura Tenzi. Kana ari muporofita kana mupristi kunyange mumwe wavanhu ava anotaura achiti, ‘Mutoro waTenzi’ munhu iyeyo ndichamuranga iye nemba yake. Mose zvenyu muchazotaurirana mumwe nomumwe mugarisani nomugarisani wake, hama nehama muchiti, ‘Nhaimi, Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’ Asi regai kuzombodomazve mutoro waTenzi nokuti mutoro iwoyo ishoko rava kurehwa nomunhu wose. Zvino imi munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Tenzi wehondo nehondo, Mwari wedu. Muporofita wacho iyeyo mubvunzei kuti, ‘Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’ Asi kana uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’ zvanzi naTenzi, pamusana pokutaura kwako ikoko kwokuti, ‘Mutoro waTenzi,’ ini ndakambokutumira yambiro yokuti, rega zvokutaura uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’ naizvozvo chinzwa, ndichakusumudza ndigokukanda kure neni, iyewe neguta randakapa iwe namadzibaba ako. Ndichakuita chiseko chenyika narini wose chinhu chinonyadzisa zvokugara zvakadaro zvisingazokanganwiki.” Mushure mokunge Nebhukadhireza mambo weBhabhironi atapa muJerusaremu Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu mambo wokwaJudha pamwe namachinda okwaJudha nenyanzvi dzamabasa amaoko nemhizha dzezvoutare akavaendesa kuBhabhironi, Tenzi akandionesa chiratidzo chakadai izvi. Ndakaona tswanda mbiri dzemaonde dzakagadzikirwa pamberi peTemberi yaTenzi. Imwe tswanda yacho yakanga ine maonde akanakisisa kwazvo akaita samaonde aye anotangisisa kuibva. Asi imwe tswanda yacho yakanga ina maonde akaipisisa kwazvo, akanga akaipa zvokuti akanga asingadyiki. Tenzi akanditi, “Nhai Jeremiya chii chauri kuona?” Ini ndikati, “Maonde! Maonde akanaka, akanakisisa kwazvo! Uye namaonde akaipa akaipisisa kwazvo! Asingadyiki akaipisisa zvokuti akanga asingadyiki.” Izwi raTenzi ndokubva rauya kwandiri roti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri sezvakangoita maonde aya akanaka, ndizvo zvandichangoita kuona kwandichaita nhapwa dzokwaJudha dzandakabvisisa munzvimbo ino dzikaendwa nadzo kunyika yavaKaridhea ndichavaona savanhu kwavo vakanaka. Ndichazoramba ndakaisa ziso rangu pavari kuitira kuti ndivaitire zvakanaka uye ndichavadzosera kunyika ino. Ndichavadyara ndisingazovadzipuri, ndichavasima ndisingavadzipuri. Ndichavapa mwoyo wokuziva kuti ini ndini Tenzi uye vachava vanhu vangu, iniwo ndiri Mwari wavo nokuti vachadzokera kwandiri nomwoyo wavo wose. “Asi zvanzi naTenzi, ‘Sezvakangoita maonde akaipa zvokuti haadyiki, ndizvo zvandichaitawo kuna Zedhekiya mambo wokwaJudha namachinda ake nechitsama chavanhu vachasara munyika muno navanhu vagere kunyika yeIjipiti. Ndichaita kuti vave chinhu chinokatyamadza nyika dzose dzapasi pano uye kuti vave chokutukisa nacho, vachiva dimikira, nechiseko, uye kuti vave chinhu chino rushambwa kunzvimbo dzose kwandichavadzingira. Ndichavatumidzirawo bakatwa neshangwa yenzara nedenda kusvikira vanyatsoparara munyika yandakapa ivo, namadzibaba avo.’ ” Shoko iri rakauya kuna Jeremiya rakananga kuvanhu vokwaJudha vose zvavo, muri mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha. (Iroro ndiro gore raiva rechiposhi rokutonga kwaNebhukadhireza mambo weBhabhironi.) Muporofita Jeremiya akataura kuvanhu vose vokwaJudha nokuvagari vose veJerusaremu shoko irori rokuti, “Kwamakore makumi maviri namatatu, kubvira pagore regumi nechitatu rokutonga kwaJosiya mwanakomana waAmoni mambo wokwaJudha kusvikira pari nhasi, shoko raTenzi ranga richingouya kwandiri ini ndichirambawo ndichikutaurirai, asi imi hamuna kuteerera. Makaramba kuteerera kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe, kunyange Tenzi akaramba achingokutumirai varanda vake vaporofita achiti, ‘Chitodzokai izvozvi munhu wose asiyane nenzira yake yakaipa netwakaipa twaanobata mugogara munyika iyi yamakapiwa imi namadzibaba enyu kubvira kare kare nokusingaperi. Regai kutevera vamwe vamwari kundovashandira kana kuvanamata kana kundishatirisa nebasa ramunoita namaoko enyu. Kana madaro iniwo handizokukuvadzai.’ Asi hamuna imi kunditeerera, ndizvo zviri kutaura Tenzi, kuti imimi mungadaro mukandishatirisa nebasa ramunoita namaoko enyu zvikazokukuvadzai. “Ndokusaka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, zvamakarega kuteerera mashoko angu, chinzwai, ‘Iniwo ndava kukoka vemadzinza ose okuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndichikoka Nebhukadhireza mambo weBhabhironi, muranda wangu ndigovaunza kuzorwisa nyika iyoyi navagari vayo kuzorwisawo marudzi ose akaitenderera. Ndichavaparadza zvachose ndichivaita kuti vave chinhu chinokatyamadza, nechinhu chinoridzirwa tsamwa nechinhu chokutukisa nacho. Uyewo ndichagumisa mukati mavo chikwe-e chokuseka kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho kana kurira kwemakuyo nemwenje werambi.’ “Nyika ino yose ichava dongo zvaro risina kana chinhu; marudzi ose iwaya achashandira mambo weBhabhironi kwamakumi manomwe amakore. Mushure mokunge kwapera makore makumi manomwe ndichazoranga mambo weBhabhironi nevechirudzi ivavo nenyika yevaKaridhea pamusana pouipi hwavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nyika yacho ndichiiparadza zvachose. Ndichaita kuti nyika iyoyo iwirwe nezvose zvakabva pamuromo pangu zvichinangana nayo, zvose zvakanyorwa mubhuku rino zvakaporofitwa naJeremiya zvichinangana namarudzi evanhu ose zvawo. “Zvichavapo ndezvokuti ndudzi zhinji namadzimambo makuru chaiwo achatovaita varanda kunyange ivo. Ini ndichavapa zvinofambirana nezviito zvavo uye namabasa avanoita namaoko avo.” Nechikonzero ichochi Tenzi Mwari weIsiraeri akanditi, “Tambira mukombe uyu uri muruoko rwangu wewaini yehasha dzangu, ugoita kuti marudzi ose kwandinenge ndakutuma aunwe. Vachaunwa vagodhadharika vagopengeswa nebakatwa randichatumira pakati pavo.” Saizvozvowo ini ndakatora mukombe waiva muruoko rwaTenzi ndikaita kuti marudzi ose kwandakatumwa naTenzi aunwe, kuJerusaremu namaguta okwaJudha, uye namadzimambo ayo namachinda acho kuti ave matongo asina kana chinhu, ave chinhu chinoridzirwa tsamwa charengererwa rushambwa sezvazviri pari nhasi kwouya Farao mambo weIjipiti namakurukota ake namachinda ake navanhu vake vose pamwechete namabvakure ose ari pakati pavo, madzimambo ose enyika yeUzi uye namadzimambo enyika yavaFirisitia ose zvawo (Ashikeroni neGaza neEkironi nechitsama chakasara chevokuAshidhodhi) kwouyawo Edhomu neMoabhu navanakomana vokwaAmoni namadzimambo ose eTire uye madzimambo ose eSidhoni namadzimambo okumahombekombe kumhiri kwegungwa, kwoti Dhedhani neTema neBhuzi navose vanoveura makona evhudzi ravo namadzimambo ose eArabhia namadzimambo ose avanhu vakasangana-sangana vagere kurenje uye madzimambo ose okwaZimuri namadzimambo ose okuEramu namadzimambo ose okuMidhia kozoti madzimambo ose okuchamhembe okure neepedyo mumwe nemumwe uyewo umambo hwose zvahwo hwapanyika pasi pose zvapo. Mushure mavo mambo Sheshaki achazonwawo. Wozobva wovataurira kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, “Inwai muraradze mugorutsa muputsike musingazomukazve pamusana pebakatwa randava kutuma pakati penyu. “Kana vakaramba kugamuchira mukombe iwoyo muruoko rwako kuti vaunwe, vaudze kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Munofanira kutonwa chete! Nokuti chionai, ndava kutotangisa kumutsira nhamo guta rinodaidzwa nezita rangu. Zvino imi ndipo pamungarege kurangwa here? Zvokurangwa hamumborega kurangwa nokuti ndiri kudaidzira bakatwa pavagari vose zvavo vepasi pano ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.’ “Naizvozvo iwe unofanira kuvaporofitira uchivaudza mashoko aya ose uchivati: “Tenzi achadzvova mudenga umu, inzwi rake richibuda muNzvimbo yake Inoera. Achadzvovera vedanga rake zvinotyisa achidaidzira sezvinoitwa navanokanya magirepisi achinangana navagari vapanyika. Ruzha rwacho ruchariridza kusvikira kwakaperera nyika Nokuti Tenzi ane mhosva yaari kupa marudzi, ari kuzogadza dare vanhu vose, vakaipa achivauraya nebakatwa. Ndozviri kutaura Tenzi.” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo chionai, nhamo ichauira; ndudzi nendudzi dzavanhu, dutu guru remhepo riri kutangisa kuuya richibva kumiganhu yapasi. Pazuva iroro vanenge vaurayiwa naTenzi vachati rakata kubvira kwainovambira nyika kusvikira kwainopererawo. Havachazochemwa kana kuunganidzwa kana kuvigwa. Vachava ndove zvayo pamusoro pevhu. Ungudzai imi vafudzi mucheme muumburuke mudota, imi madzichangamire amatanga nokuti mazuva okuurayiwa nokupararira kwenyu asvika, uye imi muchati mwarara somudziyo wakanakisa. Pachasara pasina nzvimbo yokupotera yavafudzi kana yokupukunyukira yamadzichangamire amatanga. Inzwa unzwe, kuchema kuri kuita vafudzi nokuungudza kuri kuita madzichangamire amatanga, nokuti Tenzi oparadza mafuro avo, nezvo matanga akanyatsozvigarira zvawo anobva aparadzwa nokuda kwehasha dzinotyisa dzaTenzi. Asimuka seshumba yabva painohwanda nokuti nyika yavo haisisina chinhu pamusana pebakatwa romudzvinyiriri napamusanawo pehasha dzaTenzi dzinotyisa. Mukutanga kutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, shoko iri rakabva kuna Tenzi rokuti, “Zvanzi naTenzi mira muruvanze rwemba yaTenzi utaurire vamaguta ose zvawo okwaJudha vanouya kuzonamata mumba yaTenzi mashoko ose andinokuudza kuti uvataurire, rega kuva neshoko rimwe zvaro raunovanza. Zvimwe vangateerere, munhu wose akatendeuka pakuita kwake kwakaipa kuitira kuti ndirege kuita kwavari chakaipa chandanga ndavarongera pamusana pezvakaipa zvavakaita. “Unofanira kuvataurira kuti zvanzi naTenzi kana mukarega kunditeerera kuti mufambe mumurau wangu wandakaisa pamberi penyu, kana kunzwa mazwi avaranda vangu vaporofita vandinokutumirai zvechimbichimbi kunyange zvazvo imi musina kumboita hanya nazvo, nezvo Temberi iyi ndava kuiita sezvandakaita yokuShiro uye guta rino ndichariita kuti rive guta rakarengererwa rushambwa pamarudzi ose apasi pano.” Vapristi navaporofita navanhu vose vakanzwa Jeremiya achitaura mazwi iwaya mumba yaTenzi. Jeremiya paakanga apedza kutaura zvose zvaakanga audzwa naTenzi kuti ataurire vanhu vose, ipapo vapristi navaporofita vakamubata vachiti, “Unotopafa chete! Waporofitirei muzita raTenzi uchiti Temberi ino ichaitwa sezvakaitwa yokuShiro uye kuti guta rino richava dongo risina anogaramo?” Izvozvo vanhu vose vakaunganira Jeremiya imomo mumba yaTenzi. Machinda okwaJudha paakanzwa zvinhu izvi akabuda achibva mumuzinda wamambo achienda kumba yaTenzi akasvikogara muzvigaro zvawo panopindwa napo kuSuo Guru Idzva remba yaTenzi. Vapristi navaporofita vakataurira machinda navanhu vose kuti, “Murume uyu anofanira kutongerwa rufu nokuti aporofita achinangana neguta rino iri sezvamazvinzwirawo imi nenzeve dzenyu.” Jeremiya ndokubva ataura kumachinda ose nokuvanhu vose achiti, “Tenzi akandituma kuzoporofita ndakanangana nemba ino uye neguta iro rino mashoko ose amanzwa. Saka zvino chitogadziridzai nzira dzenyu nezviito zvenyu mugoteerera inzwi raTenzi, Mwari wenyu. Tenzi achadzora mwoyo orega kuita kwamuri zvaakareva nezvenyu. Kana ndiri ini, hezvika ndiri mumaoko menyu, itai henyu neni zvamunoona kuti zvakanaka uye zviri pamwero. Asi munofanira kunyatsoziva kuti kana mukandiuraya muchapfukirwa neropa risina mhaka, imi, neguta rino navagari varo nokuti zvechokwadi Tenzi akandituma kwamuri kuzotaura mashoko ose iwaya muchizvinzwa nenzeve dzenyu.” Machinda navanhu vose vakabva vati kuvapristi nokuvaporofita, “Murume uyu haafanire kutongerwa rufu nokuti ataura kwatiri muzita raTenzi, Mwari wedu.” Ipapo vamwe vakuru vakuru venyika iyi akasumuka akataurira gungano ravanhu vose ivavo kuti, “Mika wokuMoresheti akamboporofita mumazuva aHezikiya mambo wokwaJudha achitaurira vanhu vose vokwaJudha achiti: “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo guta reZioni richarimwa somunda, Jerusaremu ichava murwi wamatongo gomo reTemberi richasara rava sango zvaro riri pakatunhumara. Ko Hezekiya mambo wokwaJudha neJudha yose vakamuuraya here? Haana here kutya Tenzi akateterera kuti Tenzi amuitire tsiye nyoro? Uye Tenzi haana here kuzodzora mwoyo orega kuita kwaari zvakaipa zvaakanga avazivisa? Asi isu tava kutozvidenhera nhamo huru!” Kune mumwe murume akaporofita muzita raTenzi, ainzi Uriya mwanakomana wokwaShemiya anobva kuKiraitijearimu. Iyeyo akaporofitawo achinangana neguta iro rino iri nenyika ino namazwi akafanana neari kutaurwa naJeremiya. Mashoko iwayo paakasvika munzeve dzamambo Jehoyakimu pamwechete navarwi vake vehondo namachinda ake, mambo akada kumuuraya. Asi Uriya paakazvinzwawo akatya ndokubva atiza akaenda kuIjipiti. Mambo Jehoyakimu akazotumira kuIjipiti vamwe varume, vanoti Erinatani mwanakomana waAkibhori navamwewo varume vaaiva navo. Vakandotora Uriya kuIjipiti vakauya naye kuna mambo Jehoyakimu, mambo akamuuraya nebakatwa akakanda chitunha chake munzvimbo yokuviga voruzhinji. Asi Jeremiya akachengeteka mumaoko maAhikamu mwanakomana wokwaShafani zvokuti haana kuzoturirwa kuvanhu kuti vamuuraye. Pakutanga kutonga kwakaita Zedhekia mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, kwakauya shoko iri kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi. Tenzi akanditi, “Zvigadzirire joko nezvitorobho zvaro uzvibope naro pamutsipa pako utumire shoko kuna mambo weEdhomu namambo weMoabhu namambo wavanakomana vokwaAmoni namambo wokuTire namambo wokuSidhoni uritumire nenhume dzakauya kuJerusaremu kuna Zedhekiya mambo wokwaJudha.” Uvati vatakurire vakuru vavo shoko iri rokuti: “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri zvino mochindozivisa vakuru venyu shoko iri rokuti, ‘Inini namasimba angu makuru nesimba roruoko rwangu ndini ndakasika nyika pamwechete navanhu nemhuka zviri panyika. Ndinozvipa kunaani zvake wandinenge ndaona kuti zvakakodzera kumupa. Pari zvino nyika dzose idzodzi ndadziisa mumaoko maNebhukadhineza, mambo weBhabhironi, muranda wangu. Ndakamupawo zvikara zvesango kuti zvimushandire. Marudzi ose avanhu achamushandira iye nomwanakomana wake nomuzukuru wake mukomana kusvikirawo jana renyika yakewo rasvika rokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru chaiwo vazomuitawo muranda wavo.’ “Asi kuwana rudzi kana nyika zvayo yazoramba kushandira Nebhukadhineza mambo weBhabhironi uyu, ruchirega kurerekera mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, ndicharanga rudzi irworwo nebakatwa neshangwa yenzara nedenda kusvikira ndarutsakatisa nesimba roruoko rwake. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Saka imi chiregai kuteerera vaporofita venyu kana vashoperi venyu kunyange varoti venyu kana vafemberi venyu vemaminimini kana vanhu venyu vakaromba mushonga vari kukutii, hamusi kuzoshandira mambo weBhabhironi. Chiripo chaicho ndechokuti inhema chaidzo dzavari kukuporofitirai zvichakusvitsai pakubviswa muchiendeswa kure nenyika yenyu izvozvo ini ndichakudzingai muno mugoparara. Asi rudzi rupi norupi runenge rwaunza mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi rukamushandira ndicharusiya ruri munyika yarwo ruchirima rugeremo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Ndakataurawo zvimwechetezvo kuna Zedhekiya mambo wokwaJudha ndichiti, “Rerekerai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi mumushandire iye navanhu vake mugorarama. Ko imi navanhu venyu chii chaizvo chamungafire nebakatwa neshangwa nenzara nedenda sezvataura Tenzi pamusoro perudzi rupi norupi runenge rwaramba kushandira mambo weBhabhironi? Regai kuteerera zvinotaura vaporofita ivavo vari kukutii: ‘Hamusi kuzoshandira mambo weBhabhironi, nokuti vari kukuporofitirai nhema.’ Zvanzi naTenzi ini handina kuvatuma, asi vari kuporofita zvenhema muzita rangu, zvichakonzera kuti ndikudzingei muchibva matsakatika imi pamwechete navaporofita vari kukuporofitirai vacho.” Ndakazotaurira vapristi navanhu vose ivava ndichiti: “Zvanzi naTenzi, musateerere zvinorehwa navaporofita venyu vari kukuporofitirai vachiti, ‘Chiregai muone zvenyu, midziyo yemba yaTenzi yava kutodzorerwa kuno izvozvi ichibva kuBhabhironi’ nokuti vari kukuporofitirai zvenhema. Regai kuvateerera! Shandirai mambo weBhabhironi murarame. Chii chaizvo chingaitirwe kuti guta rino rive dongo? Kana vari vaporofitawo uye kana vane shoko raTenzi, regaika vateterere kuna Tenzi wehondo nehondo kuti midziyo yasara mumba yaTenzi nomumba yamambo wokwaJudha nomuJerusaremu irege kuenda kuBhabhironi” nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo nezvemisimboti nezibhavhu riya nezvigadzikiro zvaro nemimwe midziyo yose yakasara muguta rino, zvisina kutorwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi paakatapa muJerusaremu Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu mambo wokwaJudha navose vokumbahuru yokwaJudha neveJerusaremu achivaendesa kuBhabhironi, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri nezvemidziyo yakasara mumba yaTenzi nomumuzinda wamambo wokwaJudha nomuJerusaremu: “Ichatakurwa igoendwa nayo kuBhabhironi igareko kusvikira musi wandichazofunga zvokuita nayo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndipo pandichaiunzazve kuno ndichiidzosera munzvimbo ino.” Hananiya anokakavadzana naJeremiya. Mugore rakarero, mukutanga kutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha mumwedzi wechishanu wegore rechina, Hananiya mwanakomana wokwaAzuru, muporofita wokuguta reGibheoni akataura kwandiri mumba yaTenzi, vapristi navanhu vose varipowo achiti: “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri ndatyora joko ramambo weBhabhironi. Mumakore maviri ndichadzosera munzvimbo muno midziyo yose yemba yaTenzi yakatorwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi munzvimbo muno achiiendesa kuBhabhironi. Ndichadzoserawo kunzvimbo ino Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu, mambo wokwaJudha navakatapwa vose vokwaJudha vakaenda kuBhabhironi ndizvo zvinotaura Tenzi. Ndinodaro nokuti ndichatyora joko ramambo weBhabhironi.” Muporofita Jeremiya akabva ataura kumuporofita Hananiya, vapristi varipo navanhu vose vakanga vamire muTemberi yaTenzi. Muporofita Jeremiya akati, “Ameni Tenzi ngaaite saizvozvo, Tenzi ngaaite kuti shoko ravaporofita riitike pachokwadi adzoserewo kunzvimbo ino midziyo iya yemba yaTenzi navakatapwa vose achivatora kuBhabhironi. Asi chinzwa zvino shoko iri randinokutaurira iwe uchizvinzwira vanhu vose zvavo vachinzwawo. Vaporofita vakatitangira ini newe kubvira karekare, vakaporofita nezvehondo neshangwa yenzara nedenda zvaizowira nyika zhinji noumambo hune simba. Kwaiti kana muporofita akaporofita nezvorugare, shoko romuporofita iyeyo rikazoitika, ndopaizozikanwa kuti zvechokwadi Tenzi ndiye akatuma muporofita iyeyo.” Ipapo muporofita Hananiya akakumura joko mumutsipa momuporofita Jeremiya akarityora. Hananiya ndokutaura vanhu vose vachinzwa achiti, “Zvanzi naTenzi, ndichatyorawo saizvozvi joko raNebhukadhineza mambo weBhabhironi ndichiribvisa mumutsipa wamarudzi ose avanhu mumakore maviri.” Asi muporofita Jeremiya akabva aenda hake. Garegare, mushure mokunge muporofita Hananiya atyora joko mumutsipa womuporofita Jeremiya, izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati, “Enda undoudza Hananiya kuti zvanzi naTenzi, wakatyoraka iwe joko rechimuti asi uchatogadzira joko resimbi rokuritsiva naro nokuti zvanzi Tenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ndaisa pamutsipa yamarudzi ose avanhu joko resimbi, rouranda hwokushandira Nebhukadhineza mambo weBhabhironi. Vanofanira kumushandira nokuti ndatomupa kunyange nezvikara zvesango.” Muporofita Jeremiya ndokuti kumuporofita Hananiya, “Chinzwa Hananiya! Tenzi haana kumbokutuma iwe! Asi uri kuita kuti vanhu ava vavimbe namanyepo. Naizvozvo zvanzi naTenzi, ‘Chinzwa, ndava kukupfuudza pamusoro payo nyika.’ Iro gore rino chairo uchafa nokuti wakaburitsa mazwi okupandukira Tenzi.” Mugore rakarero, mumwedzi wechinomwe, muporofita Hananiya akabvawo afa. Haanoi mashoko etsamba yakatumirwa naJeremiya ichibva kuJerusaremu ichienda kuvakuru vakuru vose vevakatapwa vaya, nokuvapristi nokuvaporofita nokuvanhu vose vakanga vatapwa naNebhukadhineza muJerusaremu vachiendwa navo kuutapwa kuBhabhironi. Izvozvo maiva mushure mokunge mambo Jekoniya naamai vamambo uyu navayuniki namachinda okwaJudha neveJerusaremu nenyanzvi dzamabasa amaoko nemhizha dzezvoutare dzabva muJerusaremu. Tsamba iyi yakatumidzirwa namaoko aErasa mwanakomana waShafani aina Gemariya mwanakomana waHirikiya akatumwa naZedhekiya mambo wokwaJudha kuBhabhironi kuna Nebhukadhineza mambo weBhabhironi ichiti: “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri kunemi nhapwa dzose dzandakaendesa kuBhabhironi kuutapwa dzichibva kuJerusaremu: “Vakai dzimba mugaremo zvenyu, simai mapindu mudye zvinobudamo. Roorai vakadzi muve navana vakomana navasikana. Roorerai vakadzi vanakomana venyu muroodzewo vanasikana venyu kuti vabereke vana vakomana navasikana muwande ikoko murege kushomeka. Vavarirai kuti guta randinenge ndakuendesai muutapwa rive norugare murinamatire kuna Tenzi nokuti kugarika kwaro ndiko kugarikawo kwenyu. Chandinodariro ndechokuti, zvanzi naTenzi, Mwari wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, Musanyengedzwe navaporofita venyu vari mukati menyu. Musanzwe zviroto zvavanorotomoka nokuti inhema dzavanoprofita kwamuri muzita rangu. Handina kumbovatuma, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Nokuti zvanzi naTenzi, kana Bhabhironi yapedza makore makumi manomwe, ndichazokushanyirai ndigokuitirai zvandavimbisa ndigokudzoserai kunzvimbo ino, nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvirongwa zvacho ndezvokuti zvinhu zvikunakirei kwete kuti zvikuipirei, kuri kukupai upenyu muneramangwana hune chitarisiro. Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya kuzondinamata, ini ndichakunzwai. Muchanditsvaka mugondiwana kana manditsvaka nemwoyo wose. Muchandiwana ndizvo zviri kutaura Tenzi ndigokudzoserai makomborero enyu ndigokukokorodzai kumarudzi ose nokunzvimbo dzose kwandakudzingirai ndichikudzoserai kwandakambokubvisai pandakakuendesai kuutapwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Pamusana pokuti imi mava kuti Tenzi azotimutsira vaporofita muBhabhironi, hezvinoi zviri kutaura Tenzi nezvamambo agere pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi uye nezvevanhu vose vagere muguta rino ivo hama dzenyu dzisina kuenda nemi kuutapwa. Tenzi wehondo nehondo anoti, ‘Regai muone, ndava kuvatumira bakatwa neshangwa yenzara nedenda. Uye ndivaite samaonde akaora kwazvo aipa zvokuti haadyiki.’ Ndichavaronda nebakatwa neshangwa yenzara nedenda ndichiita kuti vave chinhu chinotyisa kunyika dzose dzapasi pano charengererwa rushambwa chinodederwa, chinoridzirwa tsamwa nechiseko zvacho mukati memarudzi kwandakavadzingira nokuti vakaramba kuteerera mashoko angu ndizvo zviri kutaura Tenzi; andakaramba ndichitumira kwamuri navaranda vangu vaporofita. Asi imi zvokuteerera, makaramba ndizvo zvinotaura Tenzi. Ipapo inzwai shoko raTenzi, imi mose nhapwa dzandakabvisa kuJerusaremu ndichidziendesa kuBhabhironi inzwai shoko raTenzi. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri nezvaAhabhu mwanakomana waKoraya uye nezvaZedhekiya mwanakomana waMaaseya vari kuporofita kwamuri muzita rangu, chinzwai, ndichavaisa mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi achavauraya makatarisa. Ivava ava vachakonzera kuti nhapwa dzose dzokwaJudha dziri muBhabhironi dzizogarotaura tsumo yorushambwa yokuti: ‘Tenzi ngaakuite hwaZedhekiya naAhabhu vakakangwa mumoto namambo weBhabhironi’ nokuti vanoita zvinhu zvoupenzi muIsiraeri, vakaita upombwe namadzimai evamwe vavo vakataura muzita rangu zvinhu zvokunyepa zvandisina kumbovatuma. Ini iyeni ndinozviziva uye ndini chapupu chacho. Ndizvo zvinotaura Tenzi.” Kuna Shemaya wokuNeheramu iti: “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri: ‘Wakatumiraka iwe matsamba muzita rako kuvanhu vose vari muJerusaremu nokunaZefaniya mwanakomana wokwaMaaseya mupristi, nokuvapristi vose’ uchiti, ‘Tenzi akuita mupristi panzvimbo pomupristi Jehoyadha kuti uve mukuru wokuona nezvomumba maTenzi uye benzi rose rinenge richiporofita riri pasi pako kuti uriise muchitokisi nesimbi muhuro.’ Zvino wakarega nei kutsiura Jeremiya wokuAnatoti ari kukuporofita? Hezvi akatitumira shoko kuBhabhironi rokuti, ‘Kuchaita nguva ndefu chaiyo muri kuutapwa. Chivakai dzimba mugaremo henyu musime mapindu mudye michero yawo.’ ” Mupristi Zefaniya vakaverenga tsamba iyoyi muporofita Jeremiya achizvinzwira. Izwi raTenzi rakabva rauya kuna muporofita Jeremiya rikati, “Endesa shoko kunhapwa dzose rokuti hezvinoi zviri kutaurwa naTenzi zvakanangana naShemaya wokuNeheramu. Pamusana pokuti Shemaya akaporofita kwamuri ini ndisina kumutuma akakuitai kuti muvimbe nenhema, naizvozvo Tenzi anoti ndicharanga Shemaya wokuNeheramu nezvizvarwa zvake. Hapana kana nomumwe wokwake achava mupenyu kuti azoonawo zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zviri kurehwa naTenzi nokuti akataura mazwi okupandukira Tenzi.” Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, nyora mubhuku mashoko ose andakakutaurira nokuti zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andichadzosera vanhu vangu vokwaIsiraeri nevokwaJudha makomborero, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Uye ndichavaunzazve kunyika yandakapa kumadzibaba avo vagoiitazve yavo.” Aya mazwi akataurwa naTenzi achireva nezvevokwaIsiraeri novokwaJudha: “Zvanzi naTenzi, ‘Takanzwa mhere inodederesa inotyisa isina rugare.’ “Imbobvunzai zvenyu muzvione, munhurume angapone mwana here? Zvamboita sei chaizvo kuti ini ndione murume wose akabata chiuno namaoko somukadzi ari pakusununguka? Uso hwomunhu wose kuchenuruka kudai zvaita sei chaizvo? “Hezvino ndakadai, ‘Zuva iroro izuva guru, hakuna kana nerimwe rakaita sairoro, inguva yenhamo chaiyo kune vokwaJakobho asi vachanunurwa zvavo mariri.’ ” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Musi iwoyo zvichaitika ndezvokuti ndichatyora joko ndichiribvisa mumutsipa mavo uye ndichagwishura tambo dzenyu, vechirudzi havazombova madzichangamire avo. “Asi kutoti vachashandira Tenzi, Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo wandichavamutsira. “Zvino iwe Jakobho, muranda wangu, rega zvako kutya, kana kudumbirwa nazvo iwe Isiraeri, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi, nokuti, chionai, ndichakununurai ikoko kunzvimbo iri kure. Vana vako ndichavanunura munyika youranda hwavo. VokwaJakobho vachadzoka vavave norunyararo norudekaro, hapana achavatyisidzira nokuti ndinemi kuitira kuti ndikununurei, ndizvo zvinorehwa naTenzi. Nokuti marudzi ekwandakakumwararidzai ndichaaparadza imi handisi kuzokuparadzai zvachose, asi ndichakurangaiwo nemwerowo wakafanira, handisi kuzokuregai musina kurangwa.” Chikonzero ndechokuti, zvanzi naTenzi, “Kukuvara kwenyu hakucharapiki, ronda renyu rakakurisisa. Chichemo chako hachina achapipirira, hapana mushonga weronda rako, zvokupora haupore. “Vadiwa vako vose vakukanganwa, havana kana hanya newe nokuti ndakakurova nokurova kwomuvengi, chirango chomuvengi ane utsinye nokuti mhosva yako ihuru, nokuti zvitadzo zvako zvakawanda. Chaunochema kukuvadzwa kwako chii? Marwadzo ako haachapora Pamusana pokukura kwemhosva yako, pamusanawo pokuwanda kwezvitadzo zvako, ndokusaka ndakaitawo izvozvi kwauri. “Naizvozvo vose vanokuparadza vachaparadzwawo, uye vavengi vako vose zvavo, mumwe nomumwe wavo vachaenda kuutapwa. Vanokupamba iwe vachavawo nhapwa. Vose vanokuita nyama yamagora ini ndichavaitawo nyama yamagora nokuti ndichakudzosera utano hwako maronda ako ndichiaporesa ndizvo zviri kutaura Tenzi pamusana pokuti vakakutumidza kuti ‘Musemwa.’ Vachitokuti, ‘Zionimurambwanavose.’ ” Zvanzi naTenzi, “Chionai, ndichadzosera makomborero omumatende evokwaJakobho ndichiitira ngoni mavo mavagere. Guta richavakwa pachimudhuri charo muzindawo uchamira pawaiva. “Mazviri muchabuda nziyo dzokutenda nezhowezhowe ravaiti vemafaro. Ndichaita kuti vawande havasi kuzombova vashoma. Ndichaita kuti varemekedzwe vachange vasiri vanhuwo zvavo. Vana vavo vachaita zvavakanga vari kare, gungano ravo richadzikazve midzi paneni iniwo ndicharanga vose vanovaonesa nhamo. “Jinda ravo richange riri mumwe wavo ivo, mutongi wavo achimuka mukati mavo imomo. Ndichamuswededza pedyo iye agobvawo asvika pandiri nokuti ndiani chaizvo angabva atofemera hake kusvika pandiri? Ndozviri kutaura Tenzi. Muchavawo vanhu vangu ini ndichivawo Mwari wenyu.” Hero dutu remhepo raTenzi rovhuvhuta rakashatirwa chaizvo riri chamupupuri chaicho chine simba chichaputikira musoro wavanhu vakaipa. Hasha dzinotyisa dzaTenzi hadzimboserera kusvikira atopedza kuita zvaakaronga mumwoyo make. Mumazuva anotevera acho munozonyatsozvinzwisisisa kwazvo. “Panguva iyoyo, zvanzi naTenzi ini ndinenge ndiri Mwari wedzimhuri dzose dzeIsiraeri naivowo vachava vanhu vangu.” Zvanzi naTenzi, “Vanhu vakapunyuka bakatwa vaya vakawana nyasha kurenje, paitsvaga Isiraeri runyararo. Ini Tenzi ndakazvionesa kwauri ndiri nechokure. Ndakakuda norudo rusina mugumo ndokusaka ini ndakaramba ndakangotendeka kwauri. “Ndichakuvaka, ugovakika, iwe mhandara, Isiraeri. Uchazvishongedza zvakare netambureni uendewo uchindodzana pamutambo navanenge vachifara. “Uyewo uchasima minda yamagirepisi mumakomo eSamaria. Vasimi vachasima vagofarira kudya nomuchero wacho nokuti kuchava nezuva rokuti vachengetedzi vachayambira vari munyika yokwaEfuremu yamakomo vachiti, ‘Simukai tikwire kuguta reZioni kuna Tenzi, Mwari wedu.’ ” Chikonzero ndechokuti, zvanzi naTenzi, “Imbai muchiita zvokutodaidzira muchifarira vokwaJakobho mushevedzere kwazvo muchiitira changamire wendudzi nendudzi dzavanhu, muparidze murumbidze muchiti, ‘Tenzi akanunura vanhu vake chitsama chavakasara veIsiraeri.’ “Chinzwai ndichavauyisa ndichivabvisa kunyika yokuchamhembe ndichivakokorodza kure kure kwakaperera nyika chaiko pakati pavo paina mapofu nevakaremara nomudzimai akazvitakura pamwechete nomukadzi anenge achirwadzwa pakusununguka. Vachadzoka kuno vari gurusvusvu guru chairo. “Vachauya vachihwihwidza kuchema, ndichivanyaradza nokuvatungamirira pakudzoka. Ndichavafambisa nomuhova dzemvura, munzira yakati twasu mavasingazofa vakadzedzereka nokuti ini ndiri baba kuIsiraeri uye vokwaEfuremu ndivo dangwe rangu. “Inzwai shoko raTenzi, imi ndudzi nendudzi dzavanhu, muriparidze kure kunyika dzomumahombekombe megungwa. Itii, ‘Nyakumwararisa Isiraeri uya, achaikokorodzazve achizoichengeta sokuchengetedza kunoita mufudzi danga rezvipfuwo zvake.’ “Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi akaponesa vokwaJakobho achivanunura mumaoko meane simba kukunda iye. Vachauya vagoimba vachiita zvokudaidzira pamutunhu wakatunhumara weZioni vachifarira mwoyo wakanaka waTenzi, vachifarira mbeswa newaini namafuta eorivhi, vachifarirawo vana vezvipfuwo zvavo nemhuru. Upenyu hwavo huchaita sebindu rinodiridzwa, havachazofazve vakazvidya mwoyo. “Ipapo ndopachapembera kufara, vasikana vodzana zvino, majaya navakura vachifara zvavo. Nhamo yavo yokuchema ndichaishandura kuva kupembera kufara. Ndichavanyaradza ndichivapa mufaro panzvimbo pokusuruvara. Ndichaita kuti vapristi vanakirwe mumwoyo nezvakawanda vanhu vangu vachigutswa nezvakanaka zvangu ndozvinoreva Tenzi.” Zvanzi naTenzi, “Izwi rinonzwika kuRama, kuungudza nokuhwihwidza kuchema Rakeri achiridzira mhere vana vake vachiramba kunyaradzwa nezvevana vake pamusana pokuti havasisipo.” Zvanzi naTenzi, “Izwi rako ngarichirega kana kuburitsa misodzi mumaziso mako nokuti uchapiwa mubayiro webasa rako, ndizvo zviri kutaura Tenzi, uye vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi. Chitarisiro chichiripo choupenyu hwako hweramangwana ndizvo zviri kutaura Tenzi uye vana vako vachadzoka kunyika yavo. “Ndanzwa vokwaEfuremu vachichema nhamo Inga makandipingudza, ndakapinguka sejongosi risina kupingudzwa. Ndidzoserei kwakare ndiite sezvandakanga ndiri nokuti imi ndimi Tenzi, Mwari wangu. Ndinodaro nokuti mushure mokunge ndarasika ndakapinduka, uyewo mushure mokunge ndadzidziswa ndakaombera maoko ndakabatwa nenyadzi ndikadumbirwa nazvo nokuti ndaitenge ndakafumuka nezvandakaita kubvira pauduku hwangu. “VokwaEfuremu ava mwanakomana wangu wapamwoyo here chaizvo? Ndiye here mwana wangu wandinodisa? Chinondipa kudaro ndechokuti pose pandinotaura zvokumuyambira ndinenge ndichingomufunga chete. Ndokusaka mwoyo wangu uchimusuwa, ndichatomuitira tsitsi chete, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zviisirei mucherechedzo mugwara muzvigadzirire zvikwangwani zvokuzotevedza, nyatsofungai mugwagwa mukuru, nzira yamakaenda nayo. Chidzoka nhai mhandara Isiraeri udzokere kumaguta ako iwaya. “Kusvikira rini chaizvo uchingowaya-waya kudai, nhaiwe mwanasikana asina kutendeka? Chavapo ndechokuti Tenzi asika chinhu chitsva panyika chokuti munhukadzi ndiye ava kupfimba munhurume.” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, “Vachamutsiridzazve munyika yokwaJudha nomumaguta ayo pandinenge ndavadzosera makomborero avo, kutaura, chikomborero ichi chokuti: “Tenzi ngaakukomborere iwe musha wokururama iyewe chikomo chinoera! Izvozvo nyika yokwaJudha namaguta ayo ose vachagarisana pamwechete navarimi vaya vanopota-pota zvavo namatanga avo ezvipfuwo nokuti ini ndichagutsa mweya wakaneta ndichisimbaradza mweya wose wakarukutika. “Ndakapepuka ndikaona kuti ihope dzangu dzanga dzichindinakira. “Chinzwai, zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andichasima imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha vanhu nemhuka. Zvimwe zvichazoitika ndezvokuti sokuona kwandakaita vachidzipurwa nokupazwa vachikurirwa vachiparadzwa nhamo dzichivawira saizvozvo ndichatoonawo kuti vavakwa nokusimwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Mumazuva iwayo vanhu vacharega kutaura muromo wokuti: “Madzibaba akadya magirepisi anovava, nezvo vana vaita ugugu mumazino. “Asi kutoti munhu wose anofanira kufira chitadzo chake, nyakudya magirepisi anovava ndiye ane mazino achaita ugugu. “Chionai, zvanzi naTenzi mazuva achasvika andichaita chitenderano chitsva nemba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha. Chichange chisina kufanana nechitenderano chiya chandakaita namadzitateguru avo pandakavabata ruoko ndichivaburitsa munyika yeIjipiti, chitenderano changu chavakaputsa kunyange zvazvo ini ndiri ini ndaiva murume wavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Asi ichi ndochitenderano chandichaita nemba yeIsiraeri mushure memazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Tenzi, chokuti: “Ndichauisa mutemo wangu mavari ndichiunyora pamwoyo pavo. Ini ndichava Mwari wavo, ivo vachivawo vanhu vangu. Kuchange kusisina zvokudzidzisanazve mumwe nomumwe, hama nehama, munhu achiti, ‘Zivawo Tenzi,’ nokuti vose zvavo vachandiziva kubvira kumuduku-duku kusvikira kumukuru wacho ndizvo zviri kutaura Tenzi nokuti ndichavaregerera uipi hwavo uye chitadzo chavo handichazombochirangarirazve.” Zvanzi naTenzi, iye anopa kuti zuva rivhenekere masikati nokurongera mwedzi zvokugara uchiita nenyenyedzi kuvhenekera usiku, iye anobvongodza gungwa zvokuti mafungu atinhire, zita rake ndiYahweh wehondo nehondo. Kana urongwa ihwohu hukabva pamberi pangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndopachozorega zvizvarwa zveIsiraeri kuva rudzi pamberi pangu narini wose. Zvanzi naTenzi, “Kana matenga mudenga'mu achigona kuerwa, uye ugaro hwenyika muvhu umu huchigona kuongororwa, iniwo ndopandingarase zvizvarwa zvose zveIsiraeri ndichivarasira twose twavakabata, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Chinzwai zvanzi naTenzi, “Mazuva achasvika achavakirwa Tenzi guta iri kubvira paNharire yokwaHananero kusvikira kuSuo Guru repakona. Uye tambo yokueresa ichapfuudzwa ipapo yoti tande yakananga kuchikomo cheGarebhu yozotsaukira kuGoa. Bani rose zvaro rezvitunha namadota uye namakura ose kusvikira kuKakova keKidhironi kudzamara kukona yeSuo Guru raMabhiza tonanga kumabvazuva richava rinoera raTenzi. Harisi kuzofa rakadzipurwa kana kukurirwazve kusvikira narini wose.” Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi mugore regumi rokutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha riri gore regumi nechisere rokutonga kwaNebhukadhireza. Panguva iyoyo hondo yamambo weBhabhironi yakanga yakakomba Jerusaremu, izvozvo muporofita Jeremiya akanga akapfigirwa munhandare yavachengetedzi vokwamambo yaiva mumuzinda wamambo wokwaJudha. Zvakanga zvaitika ndezvokuti, Zedhekiya mambo wokwaJudha akanga amuisa mujeri achiti, “Unoporofitirei uchiti, zvanzi naTenzi regai muone ndava kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi uye acharitora? Zedhekiya uyu mambo wokwaJudha haasi kuzopunyuka mumaoko mavaKaridhea. Asi achatoiswa chete mumaoko mamambo weBhabhironi vagotaurirana vakatarisana chiso nechiso vachionana ziso neziso. Achaendesa Zedhekiya kuBhabhironi, achagara ikoko kusvikira ndazomushanyira, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Kunyange zvazvo muchirwisana navaKaridhea sei, hamusi kuzokurira?” Jeremiya akati, “Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati chiona, Hananero mwanakomana wokwaSharumu babamudiki vako, achauya kwauri achiti, ‘Tengai zvenyu munda wangu uri kuAnatoti nokuti mvumo yokuununura muchiutenga ndeyenyu imi.’ “Munun'una wangu Hananero akazouyawo kwandiri ndiri munhandare yevachengetedzi vokwamambo maererano neshoko raTenzi akati kwandiri, ‘Tengai henyu munda wangu uri kuAnatoti munyika yokwaBhenjamini nokuti imi ndimi mune mvumo yokutenga neyokuva mwene wawo. Dai henyu mukautenga!’ Ini ndokubva ndaziva kuti ndoshoko raTenzi riya.” Ini ndakatenga munda iwoyo kuAnatoti kumunun'una wangu Hananero ndikamuerera mari yacho yamashekeri esirivha gumi namanomwe. Ndakasaina zita rangu patsamba yechibvumirano chacho ndikaidhinda ndikawana zvapupu ndikaera mari iyoyo pazvikero. Ndakatora tsamba yakadhindwa iyoyo yechibvumirano chokuutenga yakanga iine mitemo yakawiriranwa nezvaizofanira kutevedzwa zvacho neimwewo tsamba. Ndakapa tsamba iyoyo yechibvumirano chokuutenga kuna Bharuku mwanakomana waNeriya mwanakomana wokwaMahiseya. Ndakavapa munun'una wangu Hananero aripo, zvapupu zviya zvakanga zvasainwa patsamba yechibvumirano chokuutenga zviripowo. Izvozvo paivawo navaJudha vakanga vachiita dare munhandare yavachengetedzi vokwamambo. Ndakarayira Bharuku iyoyo aripo kuti, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, tora tsamba idzi dzose dziri mbiri dzinoti yechibvumirano chokutengeserana yakadhindwa, neimwe tsamba iyi udzirongedze mumudziyo wevhu kuitira kuti dzichengetekemo kwenguva refu nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri: ‘Dzimba namapindu namapindu amagirepisi zvichatengeseranwazve imo munyika muno'mu.’ ” Mushure mokunge ndagamuchidza tsamba yechibvumirano chokutenga ichocho kuna Bharuku mwanakomana wokwaNeriya, ndakanamata kuna Tenzi ndichiti, “Nhai Tenzi Mwari, imimi ndimi makasika matenga napasi nesimba roruoko rwenyu rakakurisa. Hakuna chinokuomerai, imi munoitira mwoyochena zviuru nezviuru muchitsividza mhosva dzamadzibaba kuvana vavo vanouya mushure mavo. Imi ndimi Mwari mukuru mukuru ana masimba ane zita rokuti Tenzi wehondo nehondo, zvamunoronga zvikuru uye mabasa enyu makuru mune meso anoona nzira dzose dzavanhu munowanisa munhu wese mubayiro wezviito zvake maereranowo nezvinobva mukuita kwake. Imi makaonesa zviratidzo nezvishamiso munyika yeIjipiti kusvikira pari nhasi muIsiraeri nomukati mavanhu vose zvavo mukazviwanira zita sezvazviri nhasi uno. Makaburitsa vanhu venyu vaIsiraeri munyika yeIjipiti nezviratidzo nezvishamiso nesimba guru roruoko rwenyu noukuru hwenyu uye nezvinhu zvinodederesa kwazvo. Makazovapa nyika ino yamakatsidza kumadzitateguru avo kuti muchazovapa nyika yakanaka, yomukaka nouchi. Vakapindamo vakaiitawo yavo, asi havana kuteerera izwi renyu kana kutevedza mutemo wenyu. Hapana kana chavakaita pazvinhu zvose zvamakavatemera kuti vaite. Ndokusaka imi makaita kuti nhamo iyi ivawire. “Hezvika, zvimudhuri zvinenge musana wenzou zvokukomba nazvo zvazosvikirawo guta rino kuzoritora. Zvino bakatwa neshangwa yenzara nedenda zvakonzera kuti guta rino riiswe mumaoko mavaKaridhea vari kurirwisa. Zvamakareva zvaitika uye kana imi muri kutozviona. Zvakadaro zvazvo, imi Tenzi Mwari makanditi, ‘Tenga gura iro nemari uve nezvapupu,’ kunyange zvazvo guta irori ratoiswa mumaoko mavaKaridhea.” Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati, “Chinzwa, ndini Tenzi, Mwari wechose chine mweya wokufema, pane chinhu chingabva chanyatsondiomera here? Naizvozvo zvanzi naTenzi, chiona, ndava kuisa guta rino mumaoko mavaKaridhea nomumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi, iye acharitora. VaKaridhea vari kurwisa guta rino vachauya vagotungidza guta rino nomoto varipise pamwechete nedzimba dzine pamatenga paipisirwa rusenzi kuna Bhaari pachiteurwa mipiro yezvokunwa kuna vamwe vamwari kuti vandishatirise. Chandinodariro ndechokuti vanhu vokwaIsiraeri nevokwaJudha hapana chimwe chavakaita kusara kwouipi chete mumaziso mangu kubvira pauduku hwavo. Vanhu vokwaIsiraeri hakuna chimwe chavakaita kusara kwokungondishatirisa chete netwavanobata namaoko avo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Guta rino rakanditsamwisa rikandishatirisa kubvira musi warakavakwa kusvikira pari nhasi, zvokuti handichadi kuriona mumaziso mangu raparirwa nouipi hwavanhu vokwaIsiraeri navanhu vokwaJudha hwavakaitira kuti vandishatirise, ivo namadzimambo avo namachinda avo navapristi vavo uye navaporofita vavo, vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu. Vakatondipa gotsi vachirega kunditarisa uye kunyange zvazvo ndakaramba ndichivadzidzisa, ivo havana kana kumboteerera kuti vagamuchire zvavaiudzwa. Vakatogadziki zvavo zvandisingade mumba inodaidzwa nezita rangu, kuin'oresa. Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mubani romwanakomana wokwaHinomu pokupira vanakomana vavo navanasikana vavo sezvibayiro kuna Moreki, kunyange zvazvo ini ndisina kuvatuma uye hazvina kana kumbouya mumwoyo mangu kuti vazoita chinhu chandisingade ichi vachipinza vokwaJudha muchitadzo. “Zvino ndokusaka zvava kunzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, maererano neguta irori iri rawati, ‘Ratoiswa mumaoko mamambo weBhabhironi nebakatwa neshangwa yenzara nedenda:’ Chinzwa, ndichavakokorodza kunyika dzose kwandakavadzingira ndakatsamwa ndakashatirwa ndakapaka nehasha zvikuru kwazvo. Ndichavadzorera kunzvimbo ino vachizogara vakachengeteka. Vachava vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wavo. Ndichavapa mwoyo mumwechete nenzira imwechete kuitira kuti vagonditya narini wose kuti zvivanakire ivo zvichizonakirawo vana vavo vachauya mushure mavo. Ndichaita chitenderano navo chokugara narini wose chokuti handizomborega kuvaitira zvakanaka. Uye ndichaisa mumwoyo mavo mweya wokunditya kuti varege kuzondifuratira. Ndichafarira kuti ndivaitire zvakanaka uye ndichavasima munyika muno nokutendeka ndichizviita nomwoyo wangu wose nomweya wangu wose. “Chikonzero ndechokuti, zvanzi naTenzi, sezvandakangoita kupinza nhamo vanhu ava ndozvandichangoitawo, ndava kuvawanisa zvakanaka zvose zvandakavavimbisa. Minda ichatengwa munyika iyo ino iyi yauri kuti yava renje risisina munhu kana mhuka yatoiswa mumaoko mavaKaridhea. Minda ichatengwa nemari pachisainiranwa zvibvumirano zvichidhindwa zvine umbowo munyika ino iyi yokwaBhenjamini munzvimbo dzomunharaunda meJerusaremu nomumaguta okwaJudha nomumaguta okunyika yemakomo uye nomumaguta okunyika yokumanhika kuShefera uyewo nomumaguta okuNegevhu nokuti ndichavadzosera makomborero avo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya kechipiri paakanga achakapfigirwa munhandare yavachengetedzi vokwamambo rikati, zvanzi naTenzi, iye akasika nyika akaiumba akaisimbisa, zita rake ndiYahweh, anoti, “Daidzirai kwandiri ndinokupindurai ndichikuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusati mamboziva. Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri nezvedzimba dzeguta rino uye nezvemizinda yamadzimambo okwaJudha zvakapazirwa kuti pavakwe zvokuzvidzivirira nazvo kuhondo yezvimidhuri zvinenge musana wenzou nokubakatwa, vaKaridhea vari kuuya muno kuzorwisa nokudzizadza nezvitunha zvavanhu vandicharakatisa ndakatsamwa ndakashatirwa. Chandinodariro ndechokuti guta rino ndakatorifuratira pamusana pouipi hwavo vose. Chionai, ndichariwanisa utano nokuriporesa uye ndichavarapa ndichivaonesa kubudirira chaiko kwakanyanya nokuchengetedzeka. Ndichachinja utapwa hwevokwaJudha noutapwa hwevokwaIsiraeri, ndichavavaka kuti vaite sezvavaiva pakutanga. Ndichavachenura kuuipi hwavo hwose hwavakanditadzira nahwo ndigovaregerera uipi hwavo hwose hwavakanditadzira nahwo nokundipandukira kwavo. Jerusaremu ichandiwanisa zita rinopembererwa nokurumbidzwa nembiri kumarudzi ose apasi pano achanzwa zvakanaka zvose zvandinovaitira. Vachatya vakadedereswa nezvakanaka zvacho zvose izvozvo uye pamusana pokubudirira kwandichaiwanisa.” Zvanzi naTenzi, munzvimbo ino iyi yaunoti, “Yava dongo risina munhu kana mhuka, imo mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu zvaparara izvi zvisisina munhu ageremo kana mhuka, muchatozonzwikazve chikwe-e chokuseka nemheremhere yokufara neyokupemberera mwenga nokufarira murume wacho nomumhanzi wevanoimba vachiuya nemipiro yokutenda kumba yaTenzi vachiti: “Tendai Tenzi wehondo nehondo nokuti Tenzi akanaka nokuti mwoyochena wake hauperi! Ndinodaro nokuti ndichachinja utapwa hwenyika iyoyi igova sapakutanga, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Munzvimbo ino iyoyi yava dongo risisina munhu kana mhuka nomumaguta ayo ose, muchavazve nemisasa yavafudzi vachizorodza zvavo matanga avo. Mumaguta omunyika yamakomo nomumaguta okunyika yokunhika kuShefera uye nomumaguta okuNegevhu nokunyika yokwaBhenjamini munzvimbo dzose dzomunharaunda meJerusaremu nomumaguta okwaJudha, matanga ezvipfuwo achapfuura zvakare napasi poruoko rweanoaverenga ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Chinzwai, zvanzi naTenzi, mazuva ari kuuya andichazadzisa nawo zvandakavimbisa imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha. Mumazuva iwayo uye panguva iyoyo, ndichaita kuti rimwe Bukira rakarurama ritunge kuitira Dhavhidhi. Iye achazotonga zvine ruenzaniso nokururama munyika iyoyi. Namazuva iwayo nyika yokwaJudha ichaponeswa, Jerusaremu igonyatsogarika. Izvozvo zita raichazenge yava kudaidzwa naro nderiri rokuti: ‘Tenzisakururamakwedu.’ Chinodariso ndechokuti zvanzi naTenzi, Dhavhidhi haasi kuzomboshaya murume wokwake wokugara pachigaro choumambo hweIsiraeri uye vapristi vechiRevhi havazombofa vashayawo mumwe wokwavo wokupira pandiri mipiro yokupisa uye kupisa mipiro youpfu hwembesanwa nokuita zvibayiro narini wose.” Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati, “Zvanzi naTenzi, kana mukagona kutyora chitenderano changu chandakaitirana nesiku kana chitenderano changu chandakaitirana nesikati zvokuti masikati kana usiku zvibva zvarega kuuya nenguva yazvo yazvakatemerwa, kana zvadaro chitenderano changu naDhavhidhi chingatyorwewo zvacho zvokuti haazombofa akava nemwanakomana angazogara pachigaro choumambo hwokwake ndizvo zvimwechetezvo nechitenderano changu navapristi vechiRevhi vashumiri vangu. Sezvakangoita gurusvusvu rezvinhu zvomudenga risina angariverenge uye jecha regungwa risingapimiki, izvozvo ndozvandichangoita kuti zvizvarwa zvokwaDhavhidhi muranda wangu zviwande navapristi vechiRevhi vanoshumira kwandiri.” Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya richiti, “Zviri kutaura vanhu ava hauna kumbozviongororawo here zvokuti, Tenzi akaramba mhuri mbiri dzaakanga asarudza? Ipapo vanozvidza vanhu vangu zvokuti, kutaura kuno, vava kutovaona sorudzi pasina. Zvanzi naTenzi, dai ndakanga ndisina kunge ndakaitirana chitenderano nesiku kana nesikati nezvirongwa zvedenga napasi ndingadaiwo ndaizoramba zvizvarwa zvokwaJakobho nezvokwaDhavhidhi muranda wangu ndichibva ndarega kuzvisarudzira kana nomumwe zvake wechizvarwa chokwake wokuzotonga vembeu yokwaAbhurahamu naIsaki naJakobho nokuti ndichachinja utapwa hwavo ndichavanzwirawo ngoni.” Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi, izvozvo Nebhukadhireza mambo weBhabhironi nehondo yake yose nenyika dzose dzohumambo hwapasi pano dzaaitonga namarudzi ose avanhu vakanga vachirwisa Jerusaremu namaguta ayo ose rikati, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, enda undotaura naZedhekiya mambo wokwaJudha uti kwaari, zvanzi naTenzi, chiona, ndiri kuisa guta rino irori mumaoko amambo weBhabhironi. Iye acharipisa nomoto. Iwe hausi kuzopunyuka mumaoko make, asi uchatobatwa ugoiswa mumaoko make. Uchaonana ziso neziso namambo weBhabhironi mugotaurirana makatarisana uso neuso. Iwe uchaenda kuBhabhironi. Asi chinzwa shoko raTenzi iwe Zedhekiya mambo wokwaJudha. Zvanzi naTenzi nezvako iwe: ‘Hausi kuzofa rufu rwebakatwa. Uchafa zvako murugare.’ Uye sokupisirwa kwaingoitwa zvinonhuwirira madzibaba ako, madzimambo ekare aya akakutangira, ndokupisawo kuchaita vanhu zvinonhuwira vachiitira iwe vachiungudza kukuchema vachiti, ‘Maiwe changamire!’ Chiripo ndechokuti ndini ndazvireva, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Muporofita Jeremiya akataura mashoko ose iwaya kuna Zedhekiya mambo wokwaJudha muJerusaremu. Izvozvo hondo yamambo weBhabhironi yakanga ichirwisa Jerusaremu namaguta okwaJudha ose akanga asara anoti Rakishi neAzeka nokuti iwaya ndiwo oga maguta etsvingo okwaJudha akanga asara. Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi, mushure mokunge mambo Zedhekiya aita chibvumirano navanhu vose vomuJerusaremu kuti avape chiziviso chorusununguko chinoti: Munhu wose anofanira kusunungura varanda vake vechiHebheru vechirume kana vechikadzi zvokuti hakuna anofanira kuita kuti hama yake muJudha ave muranda. Vanhu vakabvawo vateerera, paiti machinda ose navanhu vose vakanga vapinda muchibvumirano ichochi chokuti: Munhu wose anofanira kuzosunungura muranda wake wechirume kana wechikadzi kuitira kuti varege kuzoitwazve varanda. Vakateerera vakavasunungura. Asi pedzezvo norweseri vakatorazve varanda vechirume nevechikadzi vaya vavakanga vasunungura vachivaisa pasi pavo savaranda. Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi rikati, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ini ndakaita chitenderano namadzibaba enyu pandakavaburitsa munyika yeIjipiti ndichivaburitsa mumba youranda chokuti: ‘Kukange kwapera makore matanhatu mumwe nomumwe wenyu anofanira kusunungura mumwe wake wechiHebheru anenge akatengeswa kwauri akushandira kwamakore matanhatu. Murege aende zvake asununguke kwauri.’ Asi madzibaba enyu akaramba kunditeerera kana kurerekera zvavo nzeve kwandiri. Imi manga muchangotendeuka matoita chinhu chinondifadza nokutema chirevo chorusununguko mumwe nomumwe mukatoitirana chibvumirano pandiri ini mumba inodaidzwa nezita rangu. Asi imi pidigu mon'oresa zita rangu, mumwe nomumwe wotorazve muranda wake wechirume newechikadzi vamakanga mambosunungura maererano nezvidowo zvavo, uye makatovaisazve pasi penyu savaranda venyu. Naizvozvo zvanzi naTenzi, imi hamuna kunditeerera nokusaparidzirana kwamaitirana rusununguko kuno mumwe nomumwe wenyu rwokuuraiwa uye kuhama nehama. Chinzwai imi ndava kukuparidzirai rusununguko rwamuchaitwa nebakatwa nedenda neshangwa yenzara ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichakuitai chinhu chinokatyamadza kwazvo kunyika dzose dzoumambo hwapasi pano. Ivo vanhu vakatyora chitenderano changu vasina zvisungo zvechitenderano ichocho, chavakaita pamberi pangu, ndichavaita zvinoitwa mhuru yechitenderano inodimburwa napakati kuitwa mapandi maviri vanhu vachibva vazopfuura napakati pamapandi ayo. Machinda okwaJudha namachinda eJerusaremu navayuniki navapristi pamwechete navanhu vose venyika iyoyo vakapfuura napakati pamapandi emhuru. Zvino ndichavaisa mumaoko mavavengi vavo nomumaoko mevanotsvaka kupfuudza upenyu hwavo. Zvitunha zvavo zvichava nyama yeshiri dzedenga nezvikara zvesango. Zedhekiyawo mambo wokwaJudha namachinda ake, ndichavaisa mumaoko mavavengi venyu uye nomumaoko mevanotsvaka kupfuudza upenyu hwavo, uye mumaoko mehondo yamambo weBhabhironi yanga yasuduruka kwamuri. Chinzwai, zvanzi naTenzi ndichati vadzoke kuguta rino varirwise varitore vagoripisa nomoto. Maguta okwaJudha, ndichaaita dongo risina ageremo.” Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi mumazuva aJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha richiti: “Enda kumba yevokwaRekabhu utaure navo, uuye navo kumba yaTenzi usvikopinda navo mune imwe imba yemo ugovapa waini vanwe.” Saizvozvowo ini ndakatora Jaazaniya mwanakomana waJeremiya mwanakomana wokwaHabhaziniya, pamwechete navakoma navanun'una vake navanakomana vake vose nemba yose zvayo yekwaRekabhu. Ndakaenda navo kumba kwaTenzi ndikapinda navo mune imwe imba yemo yavanakomana vokwaHanani mwanakomana waIbhudhariya munhu waMwari, imba yaiva pedyo nemba yamachinda pamusoro pemba yokwaMaaseya, mwanakomana waSharumu muchengetedzi wapamusuo. Ndakabva ndagadzikira vokwaRekabhu hari dzizere newaini nemikombe ndikati kwavari, “Inwai waini.” Asi ivo ndokupindura vachiti, “Hatisi kuzonwa waini nokuti Jonadhabhu mwanakomana wokwaRekabhu baba wedu akatirayira achiti, ‘Imi hamufanire kunwa waini, imi iyemi kana vana venyu narini wose. Hamufaniri kuvaka imba, hamufaniri kudyara mbeu, hamufanirewo kusima kana nomunda wemagirepisi zvawo. Asi kutoti munofanira kugara mumisasa yematendhe mazuva ose oupenyu hwenyu kuitira kuti mugare mazuva akawanda panyika yamunoti apa garei tamei apa garei tamei.’ Isu tinoteerera izwi raJonadhabhu mwanakomana wokwaRekabhu baba wedu pazvinhu zvese zvaakatirayira kuti tirege kunwa waini mazuva ose oupenyu hwedu isu namadzimai edu navanakomana vedu navanasikana vedu, uye kuti tirege kuvaka dzimba dzokugara. Hatina kana munda wamagirepisi kana munda zvawo kana mbeu. Asi tinogara mumatendhe tichiteerera nokutevedza zvose zvatakanzi tiite naJonadhabhu, baba wedu. Asi pakazouya Nebhukadhireza mambo weBhabhironi kuzorwisa nyika ino, takataurirana kuti regai tiende kuJerusaremu kuri kutya hondo yavarwi vechiKaridhea nehondo yevarwi vechiSiria. Saka tigere muJerusaremu kudai.” Zvino izwi raTenzi rakabva rauya kuna Jeremiya rikati, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, enda undotaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Hamudi here kunzwa zvandinokuudzai kana kuteerera mazwi angu?’ Ndizvo zviri kubvunza Tenzi. Mutemo uya wakatemwa naJonadhabhu mwana waRekabhu waakapa vana vake kuti varege kunwa waini uri kuchengetwa. Havanwi waini kusvikira pari nhasi nokuti vanoteerera mutemo wababa wavo. Ndakataura ndataurazve kwamuri, asi imi hamuna kunditeerera. Ndakakutumirai varanda vangu vose, vaporofita, ndichivatuma ndatumazve ndichiti, munhu wose ngaatendeuke asiye nzira dzake dzakaipa, mugadziridze zviito zvenyu, murege kutevedza vamwe vamwari muchivashandira. Ipapo munozogara munyika yandakakupai imi namadzibaba enyu. Asi imi hamuna kurerekera nzeve kana kundinzwa zvako. Inga wani vana vokwaJonadhabhu mwanakomana waRekabhu vakachengeta murao wavakatemerwa nababa wavo. Asi vanhu ava havana kunditeerera. Ndokusakawo zvanzi naTenzi, Mwari wehondo nehondo, Mwari waIsiraeri, Chinzwai, ndava kuunzira nyika yokwaJudha navagari vose veJerusaremu nhamo yose yandanga ndati ivawire. Ndinodaro nokuti ndakavaudza asi havana kumboteerera. Ndakavashevedza asi ivo havana kudavira.” Asi kune vemba yokwaRekabhu, Jeremiya akati, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, pamusana pokuteerera kwamunoita mutemo wababa wenyu Jonadhabhu muchichengeta mirao yake yose muchiita zvese zvaakati muite, nezvo zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: Jonadhabhu mwanakomana waRekabhu haazombofa akashaya murume anondishandira.” Mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti, “Tora bhuku rokumononora unyore mariri mashoko ose andakakutaurira akanangana nenyika yokwaIsiraeri neyokwaJudha namarudzi ose kubvira musi wandakataura kwauri, kubvira mumazuva aJosiya kusvikira nhasi uno. Zvimwe vemba yokwaJudha vanganzwe zvakaipa zvose zvandiri kufunga kuvapinza mazviri zvikaita kuti munhu wose asiyane nenzira yake yakaipa kuti ndivaregerere uipi hwavo nechitadzo chavo.” Ipapo Jeremiya akadaidza Bharuku mwanakomana waNeriya. Bharuku akazonyora mubhuku rokumononora, mazwi achibva mumuromo maJeremiya, mazwi ose aakanga ataurirwa naTenzi. Jeremiya akarongera Bharuku kuti, “Ini handichabvumirwi kutsika kumba yaTenzi. Saka iwe unofanira kuendako uri musi wokutsanya. Vanhu vose vachizvinzwira kudaro, mumba yaTenzi imomo, unofanira kuverenga mazwi aTenzi mubhuku rokumononora iri rawanyora zvandakutaurira. Unofanira kuaverengerawo vanhu vose vokwaJudha vanenge vabva kumaguta kwavo vazvinzwire. Minyengetero yavo pamwe ingasvike pana Tenzi uyewo kuti munhu wose angabva asiyana nenzira yake yakaipa nokuti Tenzi akataura akatsamwa akashatirwa zvakaipisisa kwazvo nezvavanhu ivava ava.” Saizvozvowo Bharuku mwanakomana waNeriya akaita zvose zvaakanzi nomuporofita Jeremiya aite zvokundoverengera mazwi aTenzi omubhuku iroro mumba yaTenzi. Mugore rechishanu rokutonga kwaJoyakimu, mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, mumwedzi wechipfumamwe, vanhu vose vomuJerusaremu pamwechete navanhu vakanga vabva kumaguta okwaJudha vakauya kuJerusaremu vakazvitemera zuva rokutsanya pana Tenzi. Ipapo, vanhu vose vachizvinzwira, Bharuku akabva averenga mazwi aJeremiya aya mubhuku riya mumba yaTenzi mune imwe imba yaGemariya mwanakomana waShafani munyori wapadare yakanga iri nechokumusoro kwenhandare kwaipindwa nako kuSuo Guru Idzva remba yaTenzi. Mikaya mwanakomana waGemariya mwanakomana wokwaShafani paakanzwa mashoko ose aTenzi achiverengwa mubhuku iroro, akadzika kumuzinda wamambo akasvikopinda mumba yomunyori. Izvozvo machinda ose akanga ageremo. Paiti munyori Erishama, pouya Dheraya mwanakomana wokwaShemaya tevere Erinatani mwanakomana wokwaAkibhori, uyewo Gemariya mwanakomana wokwaShafani, kozoti Zedhekiya mwanakomana waHananiya namachinda ose. Mikaya akavarondedzera mazwi ose aakanga anzwa paiverenga Bharuku bhuku riya vanhu vachizvinzwira. Machinda ose ndopaakatuma Jehudhi mwanakomana waNetaniya mwanakomana waSheremiya mwanakomana waKushi neshoko kuna Bharuku rokuti zvanzi, “Tora mumaoko mako bhuku rokumononora rawaverengera vanhu vachinzwa uuye.” Saizvozvo Bharuku mwanakomana waNeriya akatora mumaoko bhuku racho rokumononora ndokuenda kwavari. Ivo vakamuti, “Gara pasi uri verenge.” Bharuku akavaverengera bhuku iroro. Vakatarisana vava kutya vakabva vati kuna Bharuku, “Tinofanira kundonyatsopira mashoko aya kuna mambo nezvinhu zvose zvarehwa izvozvi.” Vakabvunza Bharuku voti, “Tiudze. Zvakambouya sei chaizvo kuti iwe uzonyora mazwi ose iwaya? Zvaibva mumuromo make here izvi?” Bharuku ndokupindura achiti, “Akaita zvokunditaurira mazwi ose iwaya ini ndichinyora neingi mubhuku rokumononora irori.” Machinda iwayo akabva aruma nzeve Bharuku oti, “Chiendai mundohwanda, iwe naJeremiya parege kuva kana nomumwe anoziva kwamuri.” Saizvozvowo vakaenda mudare kuna mambo vasiya vaisa bhuku rokumononora riya mumba yomunyori Erishama, vakapira kuna mambo mashoko ose iwayo. Mambo akabva atuma Jehudhi kundotora bhuku iroro rokumononora akandoritora mumba yomunyori Erishama muya, Jehudhi akariverengera mambo namachinda ose anokuta mambo. Iwoyo wakanga uri mwedzi wechipfumbamwe, mambo agere hake mumba yake yenguva yechando. Izvozvo paiva nomoto wairirima muchoto iye achigota moto hake. Jehudhi aingoti akati verengei zvikamu zvaro zvitatu kana zvina, mambo aibva agwishura zvikamu izvozvo nekapanga obva azviti chi-i mumoto mumbaura kudzamarara bhuku rokumononora rose rapera kutsva nomoto waiva mumbaura. Zvakadaro zvazvo pakati pamambo namakurukota ake akanga anzwa mashoko iwaya ose hapana kana nomumwe wavo akatya kana kubvarura hanzu dzavo neshungu. Kunyangewo Erinatani naDheraya naGemariya pavaiteterera kuna mambo kuti arege kupisa bhuku rokumononora iroro, mambo haana kumbovateerera. Asi mambo akatoudza Jerahimieri, mwanakomana wamambo naSeraya mwanakomana wokwaAzirieri uyewo Sheremiya mwanakomana waAbhudhieri kuti vabate Bharuku munyori nomuporofita Jeremiya, asi Tenzi akavahwandisa. Zvino mushure mokunge mambo apisa bhuku rokumononora riya ramazwi akanyorwa naBharuku achibva mumuromo maJeremiya, shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati, “Tora rimwe bhuku rokumononora unyore mariri mazwi ose aya aiva mubhuku rokumononora rokutanga riya rakapiswa naJehoyakimu mambo wokwaJudha. Zvaunofanira kunyora zvichinangana naJehoyakimu mambo wokwaJudha ndezvizvi zvokuti, ‘Zvanzi naTenzi, handiti wapisaka iwe bhuku rokumononora iri’ uchiti, ‘Wakanyorerei mariri kuti mambo weBhabhironi achauya chete kuzoparadza nyika ino achitsakatisa mairi vanhu nemhuka?’ Naizvozvo Tenzi ari kutaura nezvaJehoyakimu mambo wokwaJudha kuti haazofa akawana wokwake anozogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi uye chitunha chake chichakandwa panze chitsve nezuva masikati usiku chichitonhorwa nechando. Ndichamuranga iye nezvizvarwa zvake navaranda vake ndichivarangira uipi hwavo. Ndichaunzira vanhu ava navagari vomuJerusaremu navanhu vokwaJudha zvakaipa zvose zviya zvandakati zvivawire asi ivo havana kuteerera.” Jeremiya akatorawo rimwe bhuku rokumononora akaripa kunyanzvi yomutemo, Bharuku mwanakomana waNeriya akabva anyora mariri mazwi ose aibva mumuromo maJeremiya, mashoko ose omubhuku riya rakanga rapiswa mumoto naJehoyakimu mambo wokwaJudha achiisawo mamwe mazwi akawanda akaita saiwawo. Zedhekiya mwanakomana waJosiya akanga aitwa mambo munyika yokwaJudha naNebhukadhireza mambo weBhabhironi akatonga panzvimbo paKoniya mwanakomana waJehoyakimu. Asi iye kana makurukota ake navanhu venyika havana kuteerera zvakataurwa naTenzi nomuromo womuporofita Jeremiya. Mambo Zedhekiya akatuma Jehukaru mwanakomana waSheremiya nomupristi Zefaniya mwanakomana waMaaseya kumuporofita Jeremiya neshoko rokuti, “Tinamatirewo kuna Tenzi, Mwari wedu.” Izvozvo Jeremiya akanga achiri kufamba fambawo zvake mukati mavanhu nokuti akanga asati aiswa mujeri. Hondo yaFarao yakanga yabuda kuIjipiti, izvovo pazvakasvika munzeve dzavaKaridhea vaiva vakatokomba Jerusaremu vakabva vabva paJerusaremu. Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya muporofita richiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri heinoi mhinduro yokundopa mambo wokwaJudha akakutumai kuzonzwa kuti ini ndinoti kudii. Ndinoti, chinzwai, iyo hondo yaFarao yakauya kuzokubatsirai yava kutoda kudzokera kuIjipiti kunyika kwayo. Zvino vaKaridhea vachadzokazve vozorwisa guta rino, vacharitora vagoriroromesa nomoto. Zvanzi naTenzi musazvifurire henyu muchizviti, ‘VaKaridhea havachambofa vakatsika kwatiri kuno,’ nokuti havasi kuzorega kuuya kuno. Ndinodaro nokuti kunyange mukakurira hondo yose yavaKaridhea vari kukurwisai, zvokungosara kwavari ikoko varwi vakakuvadzwa chete, vari mumatendhe avo, ivavo vaitomuka, vagopisa guta rino nomoto.” Zvino hondo yavaKaridhea zvayakanga yabva Jerusaremu kudaro nokuuya kwakanga kuchiita hondo yaFarao, Jeremiya akasimuka muJerusaremu oenda kunyika yokwaBhenjamini, kundogoverwa nhaka yake pakati pavanhu. Paakasvika paSuo Guru rokwaBhenjamini mumwe mugariri wepo ainzi Iriya mwanakomana waSheremiya mwanakomana waHananiya, akabata muporofita Jeremiya achiti, “Kutizira kuvaKaridhea kwawava kuitaka iwe!” Jeremiya ndokuti, “Handizvo! Handisi kutizira kuvaKaridhea ini!” Asi Iriya haana kumbomuteerera, akabata Jeremiya akamuunza kumachinda. Machinda akabva apengera Jeremiya nehasha, vakamurova vakamuisa mujeri mumba yomunyori, Jonatani nokuti yakanga yaitwa jeri. Jeremiya paakanga aiswa mujeri rapasi, agaramo mazuva mazhinji, mambo Zedhekiya akatuma vanhu kundomutora ndokubva amugamuchira. Mambo akamubvunza muchivande mumuzinda make kuti, “Pane shoko rabva kuna Tenzi here?” Jeremiya akati, “Hongu riripo.” Akabva ati, “Imimi muchaiswa mumaoko amambo weBhabhironi.” Jeremiya akatizve kuna mambo Zedhekiya, “Chii chaizvo chandakakutadzirai imi namakurukota enyu navanhu ava chakakonzera kuti mundiise mujeri? Varipiko zvino vaporofita venyu vaya vaikutaurira vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haasi kuzokurwisai kana kuzorwisa nyika ino?’ Zvino chinzwai imi changamire wangu, mambo! Ndateterera hangu donzwaiwo chichemo changu murege kundidzosera kumba kwaJonatani, munyori uya, ndingadaro ndikafirako.” Nokudaro mambo Zedhekiya akatema zvaifanira kuitwa, vanhu vakabva vachengetera Jeremiya munhandare yevachengetedzi vokwamambo. Izvozvo Jeremiya akanga ava kupiwa chingwa chimwechete pazuva chichibva kumugwagwa weguta wainzi Wavabiki Vechingwa kusvikira chingwa chose chomuguta chapera. Saizvozvo Jeremiya akaramba ari munhandare yavachengetedzi vokwamambo. Zvino Shefatiya mwanakomana waMatani, uye Gedhariya mwanakomana waPashuru uyewo Jukari mwanakomana waSheremiya pamwechete naPashuri mwanakomana waMarikiya, pavakanzwa mashoko aJeremiya aaitaurira vanhu vose okuti, “Zvanzi naTenzi anenge agara muguta rino achafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda asi anenge abuda achindozvipereka kuvaKaridhea achararama. Achapunyuka noupenyu hwake. Zvanzi naTenzi, guta rino iri richaiswa mumaoko mehondo yamambo weBhabhironi richibva ratorwa.” Machinda aya akati kuna mambo, “Madii kuuraya munhu uyu nokuti ari kurukutisa maoko avarwi vasara muguta rino achirukutisawo maoko avanhu vose nokuvataurira mazwi akadaro. Chiripo ndechokuti murume uyu haasi kuda kuti zvinhu zvifambire vanhu ava zvakanaka asi kuti zvivaipire.” Mambo Zedhekiya akati, “Inga wani ari mumaoko menyu nokuti mambo hapana chaangaite chinopesana nemi.” Ipapo vakatora Jeremiya vakamukanda mumugodhi waMarikiya mwanakomana wamambo. Mugodhi iwoyo waiva munhandare yavachengetedzi vokwamambo. Vakaita zvokudzikisa Jeremiya netambo. Mumugodhi imomo makanga musisina mvura asi mangove madhaka chete ndokubva Jeremiya anyura mumadhaka imomo. Mumwe munhu wokuItiopia muyuniki anonzi Ebhedhimereki aiva mumuzinda wamambo paakanzwa zvichinzi vakanda Jeremiya mumugodhi, izvozvo mambo aiva padare kuSuo Guru rokwaBhenjamini, Ebhedhimereki akabuda mumuzinda wamambo akasvikoti kuna mambo, “Changamire wangu mambo, varume ava vaita chinhu chakaipa kwazvo pazvinhu zvose zvazvo zvavaita kuno muporofita Jeremiya nokumukanda kwavamuita mumugodhi. Jeremiya achafira imomo nenzara nokuti hapasisina kana chingwa chasara muguta muno.” Mambo ndokutuma Ebhedhimereki, munhu wokuItiopia achiti, “Chitora varume vatatu pano apa uende navo kundoburitsa muporofita Jeremiya mumugodhi macho asati afa.” Ebhedhimereki akabvawo atora varume akaenda navo mumuzinda wamambo. Vakasvika muwodhirobu mumba maichengeterwa zvinhu; vakatoramo mamvemve namarengenya embatya aakadzikisa netambo pasi paiva naJeremiya mumugodhi. Ebhedhimereki munhu wokuItiopia uya akati kuna Jeremiya, “Isa mamvemve namarengenya ayo muhapwa dzako, pakati pehapwa dzako netambo.” Jeremiya akaita saizvozvowo. Ivo ndokubva vakweva Jeremiya netambo vakamuburitsa mumugodhi muya. Jeremiya akaramba ari munhandare yevachengetedzi vokwamambo. Mambo Zedhekiya akatumira nhume kundodaidza muporofita Jeremiya akabva andochingamidzana naye kumusuo wetatu wokupinda muTemberi yaTenzi. Mambo akati kuna Jeremiya, “Ndava kukubvunza mubvunzo, iwe rega kundivanzira kana chinhu zvacho.” Jeremiya akapindura Zedhekiya achiti, “Kana ndikakutaurirai chokwadi hamuzondiuraya here? Kunyange ndikakurumai nzeve hamumbofa makandinzwa.” Mambo Zedhekiya ndokupika mhiko muchivande kuna Jeremiya yokuti, “NaTenzi mupenyu chaiye, musiki wemweya yedu, handisi kuzokuuraya kana kukuturira mumaoko avarume ava vanovavarira kukupfuudza upenyu.” Jeremiya akabva ati kuna Zedhekiya, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, kana mukaita zvokuzvipereka kumachinda amambo weBhabhironi uye guta rino iri harizopiswa nomoto uyewo imi nemba yenyu muchararama. Asi kana mukarega henyu kuzvipereka kumachinda amambo weBhabhironi zvichaita kuti guta rino riiswe mumaoko mavaKaridhea vacharipisa nomoto. Imi hamuzombopunyuki mumaoko mavo.” Mambo Zedhekiya akati kuna Jeremiya, “Ndiri kutya vaJudha vakatizira kuvaKaridhea ndingazongoiswa mumaoko avo vakandionesa nhamo.” Jeremiya ndokuti, “Hamusi kuzoiswa mumaoko mavo! Chingoteererai zvenyu izwi raTenzi pane zvandiri kukutaurirai kuitira kuti zvikunakirei. Uye muchasiyiwa muri mupenyu. Asi kana mukaramba kuita zvokuzvipereka henyuka, hechinoi chiratidzo chandaoneswa naTenzi. Ndinoona vakadzi vose zvavo vachibva mumuzinda wamambo wokwaJudha vachibudwa navo kuenda kumachinda amambo weBhabhironi vachiti, “ShaMwari dzako dzawaivimba nadzo dzakakunyengedza dzikakwanisa. Zvino wachiti makumbo tindindi kunyura mudhaka ivo vakakufuratira kusiya. “Madzimai enyu ose navanakomana venyu vachaendwa navo kuvaKaridhea, imiwo hamusi kuzopunyuka. Asi muchatobatwa namambo weBhabhironi uye guta rino richapiswa nomoto.” Zedhekiya akabva ati kuna Jeremiya, “Rega kuva newaunozozivisa hurukuro iyoyi nezvo kufa, hauzofa. Kana machinda akanzwa kuti ndakurukura newe, akauya kwauri achiti, ‘Tiudzeiwo zvawataura kuna mambo nezvawazotaurirwawo namambo. Rega kana kuva nechaunotivanzira, isu hatizokuuraya,’ uti kwavari, ‘Ndakasvitsa chichemo changu kuna mambo ndichiteterera kuti varege kundidzosera kumba kwaJonatani ndirege kufirako.’ ” Machinda ose akazouyawo kuna Jeremiya vakamubvumunza, iye akavapindura sokunyeverwa kwaakanga aitwa namambo. Ipapo vakabva varega kutaura naye nokuti hurukuro iyoyo yakanga isina wamboinzwa. Izvozvo Jeremiya akaramba ari munhandare yavachengetedzi vokwamambo kudzamara musi wakazotorwa Jerusaremu. Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha, mumwedzi wegumi, Nebhukadhireza mambo weBhabhironi nehondo yake yose vakauya kuzorwisa guta reJerusaremu vakarikomba. Mugore regumi nechiposhi rokutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wechina pamusi wepfumbamwe wemwedzi iwoyo, rusvingo rweguta rwakapazwa. Jerusaremu payakatorwa, machinda ose amambo weBhabhironi akapinda akagaririra pasuo guru repakati. Paiti mumwe ainzi Nerigarishareza naSamigarinebho uye Sarisikimu jinda guru nomumwe mukuru mukuru anonzi Nerigarishareza mukuru mukuru pamwechete navamwe vakuru vakuru vose vamambo weBhabhironi. Zedhekiya mambo wokwaJudha navarwi vose vehondo pavakazviona vakatiza muguta nousiku nokubindu rokwamambo napasuo rapakati pemasvingo maviri vakananga kuArabhia. Asi hondo yavaKaridhea yakavaronda ikabatira Zedhekiya mumapani okuJeriko. Pavakamubata vakamuuyisa kuna Nebhukadhireza mambo weBhabhironi kuguta reRibhura mudunhu reHamati akabva amutemera chirango ipapo. Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya paRibhura ipapo iye akatarisa. Mambo weBhabhironi akaurayawo vokumbahuru vokwaJudha. Akasvukunura Zedhekiya maziso akamusunga nengetani kuti aende naye kuBhabhironi. VaKaridhea vakapisa muzinda wamambo nedzimba dzavanhu vakapaza masvingo eJerusaremu. Mumwe mukuru wavachengetedzi vokwamambo anonzi Nebhuzaradhani akatapa vanhu vakanga vasara muguta navakanga vatizira kwaari pamwechete navakanga vasina kutizira kwavari vakaenda navo kuBhabhironi. Nabhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vokwamambo, akasiya munyika yokwaJudha vamwe varombo vasina chavanacho akavapa minda yamagirepisi pamwechete nemimwe minda. Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akatemera Jeremiya chirevo nokuna Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi wokwamambo uya chokuti: “Mutore umuchengete zvakanaka urege kumukuvadza, asi umuitire zvaanenge akutaurira.” Saizvozvowo Nebhuzaradhani, mukuru wavachengetedzi vokwamambo naNebhushazibhana rimwe jinda guru naNegarishareza mumwe mukuru mukuru wacho navatungamiriri vakuru vose vamambo weBhabhironi, vakatuma vanhu vakatora Jeremiya munhandare yavachengetedzi vokwamambo vakamuisa mumaoko maGedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani kuti amuperekedze kumusha. Naizvozvo Jeremiya akandogara hake mukati mavanhu. Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya paakanga achakapfigirwa munhandare yavachengetedzi vokwamambo richiti, “Enda utaurire Ebhedhimereki uya muItiopia kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, zvaunoona ini ndichazadzisa shoko rangu randakareva nezveguta rino rokuti zvinhu zviriipire kwete kurinakira. Izvozvo zvichazadziswa iwe uchizviona musi iwoyo. Asi pazuva iroro ini ndichakununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Uye hausi kuzofa wakaiswa mumaoko avarume vauri kutya. Chiripo chaicho ndechokuti ndichatokununura chete uye hausi kuzofa rufu rwebakatwa. Asi uchapunyuka noupenyu hwako nokuti wakavimba neni. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi mushure mokunge Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vokwamambo uya amuti aende hake achibva kuRama. Izvozvo akanga atora Jeremiya amusunga nengetani pamwechete nedzimwe nhapwa dzeJerusaremu nedzokwaJudha dzakanga dzichiendwa nadzo kuBhabhironi. Mukuru wavachengetedzi wokwamambo uya akatora Jeremiya akamuti, “Tenzi, Mwari wenyu ndiye akati kwaari nzvimbo ino iwirwe nenhamo ino. Tenzi aita kuti zviitike akaita sezvaakamboreva, nokuti makatadzira Tenzi mukasateerera inzwi rake saka izvi zvakuwirai. Zvino, chinzwa, nhasi uno ndinokusunungura ngetani idzi mumaoko mako. Kana uchiona zvakakunakira kuti tiende tose kuBhabhironi, ngatiende, ndichazokuchengetawo zvakanaka. Asi kana uchiona zvakakuipira kuti tiende tose kuBhabhironi, usauye zvako. Chiona nyika ndiyoyi yose yauri kuona iyi! Enda hako kose kose kwaunofunga kuti ndiko chaiko kwakakunakira. Kana uchida kusara ungadzokere zvako kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani akasarudzwa namambo kuva sadunhu wamaguta okwaJudha undogara naye mukati mavanhu kana kuenda hako kose kose kwaunofunga kuti kwakakunakira.” Ipapo mukuru wavachengetedzi vokwamambo akati Jeremiya awaniswe mbuva nechipo agoenda hake. Jeremiya akabva aenda kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu, kuMizipa akandogara naye mukati mavanhu vakanga vasiyiwa munyikamo. Kuzoti vakuru vakuru vehondo dzavarwi vaiva mumasango navarwi vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga asarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu achimuita Sadunhu munyika iyoyo uye kuti akaisa mumaoko make varume navakadzi navana vaiva varombo vokupedzesera chaivo munyika iyoyo uye vakanga vasina kutapwa vachiendeswa kuBhabhironi, vakaenda kuna Gedhariya kuMizipa. Paiti: Ishimaeri mwanakomana waNetaniya naJohanani mwanakomana waKarea kwouya Seraya mwanakomana waTanhumeti vokwaEfai wokuNetofa ndokuzoti Jezaniya mwanakomana wokwaMaaka, ivo navarwi vavo. Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani akapika mhiko kwavari navanhu vavo achiti, “Regai kutya kushandira henyu vaKaridhea. Garai zvenyu munyika imomo muchishandira mambo weBhabhironi zvinhu zvichakufambirai zvakanaka. Inini ndichagara hangu kuMizipa ndichikumiririrai kuvaKaridhea vanenge vauya kwatiri. Asi imi potai muchiunganidza waini nemichero yezhizha namafuta eorivhi muzvichengetere mumidziyo yenyu muchigara zvenyu mumaguta enyu amakawana.” Zvimwechetezvo navaJudha vose vaiva kuMoabhu nomukati mavaAmoni nomuEdhomu nomunyika dzimwe pavakanzwawo kuti mambo weBhabhironi akanga asiya chimwe chitsama chevokwaJudha uye kuti akanga asarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani akamuita sadunhu wavo, ipapo vaJudha vose vakadzoka vachibva kunzvimbo dzose kwavakanga vaparadzirwa, vakauya kunyika yokwaJudha kuna Gedhariya kuMizipa. Vakazopota vachiunganidza waini nemichero yezhizha zvakawandisisa kwazvo. Zvino Johanani mwanakomana waKarea navakuru vakuru vehondo dzavarwi vaiva mumasango vakauya kuna Gedhariya kuMizipa vakati kwaari, “Munozviziva here kuti Bhaarisi mambo wevaAmoni akatuma Ishimaeri mwanakomana waNetaniya kuzopfuudza upenyu hwenyu?” Asi Gedhariya mwanakomana waAhikari haana kumbovateerera. Johanani mwanakomana waKareya akataura muchivande kuna Gedhariya paMizipa ipapo akati, “Regai ndiende ndinouraya Ishimaeri mwanakomana waNetaniya hakuna achazviziva. Adirei chaizvo kupfuudza upenyu hwenyu? Hakusi kuitira kuti vaJudha vakaunganidzana kwamuri vaite rumwe rumwe, chitsama chakasara chevokwaJudha ichi chichibva charova?” Asi Gedhariya mwanakomana waAhikamu akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Iwe rega kuita izvi nokuti uri kurevera Ishimaeri nhema.” Mumwedzi wechinomwe, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya, mwanakomana waErishama mumwe wokumbahuru aiva mumwe wavatungamiriri vakuru vokwamambo, akauya negumi ravarume kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuMizipa. Pavakanga vachidya zvavo pamwechete paMizipa ipapo, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya negumi ravarume raaiva naro vakasimuka vakabaya Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani nebakatwa vakamuuraya iye akanga asarudzwa namambo weBhabhironi aitwa sadunhu wenyika iyoyo. Ishimaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naGedhariya paMizipa pamwechete navarwi vehondo vechiKaridhea vaakawanikidza varipo. Ramangwana acho mushure mokupondwa kwaGedhariya ikoku pasati pava neazviziva, pakasvika makumi masere avarume vachibva kuShikemu nokuShiro nokuSamaria vakaveura ndebvu vaine hanzu dzakabvaruka, miviri yavo akachekwachekwa vachiuya nemipiro yembesanwa norusenzi kuzozvipira kuTemberi yaTenzi. Ishimaeri mwanakomana waNataniya akavabudira kuMizipa kuzochingurana navo, akauyako achihwihwidza kuchema. Paakasanganidzana navo akati kwavari, “Uyai mupinde muna Gedhariya mwanakomana waAhikamu.” Pavakapinda muguta, Ishimaeri mwanakomana waNataniya navarume vaaiva navo vakavaponda kuuraya vakavakanda mumugodhi. Asi pakati pavo pakaita varume gumi vakateterera kuna Ishimaeri vachiti, “Dai marega zvenyu kutiuraya nokuti tine pfimbi dzekoroni nebhari namafuta eorivhi nouchi zvatakaviga mumasango.” Nokudaro akarega kuvauraya pamwechete navamwe vavo. Zvino mumugodhi macho maikanda Ishimaeri zvitunha zvose zvavanhu vaakatsakatisa rakanga riri zimugodhi guru rakacherwa namambo Asa achizvidzivirira kuna Bhaasha mambo weIsiraeri. Ishimaeri mwanakomana waNataniya akarizadza nevaipondwa ivavo. Ishimaeri akazotapa vamwe vose vaiva Mizipa, ava vanoti: vakunda vamambo navanhu vose vakanga vasiyiwa paMizipa vaiva vaiswa Nebhuzaradhani uya mukuru wavachengetedzi vokwamambo mumaoko maGedhariya mwanakomana waAhikamu. Ishimaeri mwanakomana waNataniya akavatapa ndokubuda opinda munzira oyambukira kuvaAmoni. Asi Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose vehondo dzavarwi vaaiva navo pavakanzwa nezvouipi hwakanga hwaitwa naIshimaeri mwanakomana waNataniya, vakatora varwi vavo vose vakaenda kundorwisa Ishimaeri mwanakomana waNataniya. Vakamusvikira ari padziva guru riri kuGibheoni. Vanhu vose vaiva naIshimaeri pavakangoona Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose vehondo dzavarwi vaaiva navo, vakapembera kufara. Saka vanhu vose vakanga vatapwa naIshimaeri kuMizipa vakapishunuka vodzokera kuna Johanani mwanakomana waKarea. Asi Ishimaeri mwanakomana waNetaniya navarume vasere vakapunyuka kuna Johanani akasvovera kuvaAmoni. Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose vehondo dzavarwi vaaiva navo vakatora vamwe vose vakanga vatapwa vaendwa navo naIshimaeri mwanakomana waNataniya kuMizipa mushure mokunge auraya Gedhariya mwanakomana waAhikamu, varwi vehondo navakadzi navana navayuniki vakaunzwa naJohanani kubva kuGibheoni. Vachiuya kudaro vakamboti garei kuGeruti Chimhamu pedyo neBheterehemu vaiva nepfungwa yokuenda kuIjipiti pamusana pokuzeza vaKaridhea nokuti vaivadedera nemhosva yokuti Ishimaeri mwanakomana waNataniya akanga aponda Gedhariya mwanakomana waAhikamu akanga aitwa sadunhu wenyika iyoyo namambo weBhabhironi. Vatungamiriri vose vehondo dzavarwi naJohanani mwanakomana waKarea naJezaniya mwanakomana waHoshaya pamwechete navanhu vose kubvira kumudukuduku kusvikira kumukuru chaiye vakaenda kumuporofita Jeremiya vakati kwaari, “Inzwaiwo chichemo chedu mutinamatire kuna Tenzi, Mwari wenyu muchinyengeterera chitsama chavose vakasara ichi (nokuti tangosara tava vashomanana pavazhinji vaya sokutiona kwamuri kungoita nameso enyu) kuitira kuti Tenzi Mwari wenyu atiratidzewo gwara ratinofanira kutevedza uye nezvatinofanira kuti tiite.” Muporofita Jeremiya akavapindura achiti, “Ndazvinzwa! Chionai ndichanamata kuna Tenzi, Mwari wenyu maererano nechichemo chenyu. Mhinduro yose yandinenge ndapiwa naTenzi, ini ndichakutaurirai. Handisi kuzombokuvanzirai kana chinhu.” Ivo ndokuti kuna Jeremiya, “Dai Tenzi angova chapupu chechokwadi chakatendeka kwatiri kana isu tikarega kuita zvose zvinenge zvarehwa naTenzi akutumai kwatiri. Kunyange zvikava zvakanaka kana zvakaipa, chedu isu kuteerera chete izwi raTenzi, Mwari wedu watiri kukutumai kwaari, kuitira kuti zvitinakire patinenge tateerera izwi raTenzi, Mwari wedu.” Kuzoti kwapera gumi ramazuva shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya. Iye akabva adaidza Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vehondo dzavarwi vaiva naye navanhu vose kubvira kumudukuduku kusvikira kumukuru chaiye akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri kuya kwamakandituma kundosvitsa chichemo chenyu: ‘Kana mukaramba muri munyika muno iniwo ndichakuvakai ndisingakupazei. Ndichakusimai ndisingakudzipurei nokuti ndinorwadziwa mwoyo nenhamo yandakakupinzai. Regai kutya mambo weBhabhironi wamunodai kudedera. Musambomutya zvenyu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti ndinemi kuitira kuti ndikuponesei ndichikununurai mumaoko make. Ndichakunzwirai ngoni kuti iye agokuitiraiwo tsiye nyoro kuti mugare munyika yenyu chaiyo.’ “Asi kana imi mukati, ‘Hatisi kuda kuramba tiri munyika,’ muchiramba kuteerera izwi raTenzi, Mwari wenyu muchiti henyu, ‘Kwete isu tichaenda kunyika yeIjipiti kwatisingazoonizve hondo kana kunzwa kurira kwehwamanda kunyange nenzara yechokudya ndokwatichandogara ikoko,’ nezvo imi chitsama chakasara chevokwaJudha chinzwai shoko raTenzi. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ‘Kana mukava nepfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako, bakatwa ramuri kutya richakuwirai ikoko munyika yeIjipiti makaremo, neshangwa yenzara yacho yamuri kuzeza ichatsviriridza kusonana nemi kuIjipiti mufire ikoko. Vanhu vose vanoisa mwoyo papfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako, vachafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda pasina wavo anosara kana anopunyuka rufu kunhamo dzose dzandichavauyisira.’ “Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri: ‘Sokuviruka kwandakaita ndatsamwa nehasha ndikadziwodzvorera pavagari veJerusaremu, ndokuwodzvorera kwandichakuitirai hasha dzangu kana mukangoenda kuIjipiti. Muchava sendove chinhu chinokatyamadza chine rushamba chiseko zvacho. Nzvimbo ino hamuzombofa makaionazve.’ “Imi chitsama chakasara chovokwaJudha Tenzi ati kwamuri, ‘Regai kuenda kuIjipiti.’ Nyatsozivai kuti nhasi uno ndakuyambirai kuti uku ndokutorasika kwamava kutoita muchida kuzviurayisa henyu. Handiti makandituma kuna Tenzi, Mwari wenyu muchiti, ‘Tinamatirewo kuna Tenzi, Mwari wedu, uye chose zvacho chinenge charehwa naTenzi Mwari wedu tiudze tigozviita.’ Zvino ini nhasi uno ndakutaurirai. Asi imi hamuna kuteerera izwi raTenzi, Mwari wenyu, pazvinhu zvose zvaakandituma kuzokutaurirai. Saka zvino mochinyatsoziva kuti chenyu imi kufa chete nebakatwa neshangwa yenzara nedenda munzvimbo yacho iyoyo kwamuri kurwarira kundogara.” Pakapedza Jeremiya kutaurira vanhu vose mashoko ose iwaya aTenzi Mwari wavo, emhinduro yaTenzi Mwari wavo yaakatumwa nayo kwavari, Azariya mwanakomana waHoshaya pamwechete naJohanani mwanakomana waKarea nendambakunzwa dzavanhu vose zvavo vakati kuna Jeremiya, “Inhema dzauri kutaura. Tenzi, Mwari wedu haana kumbokutuma kuti uzotaura kuti, ‘Regai kuenda kuIjipiti kundogarako.’ Asi iye Bharuku mwanakomana waNeriya ndiye atokufurira kuti utipandukire ugotiisa mumaoko mavaKaridhea kuti vatiuraye kana kutitapa vachitiendesa kuBhabhironi.” Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose vehondo dzavarwi navanhu vose vakaramba kuteerera izwi raTenzi rokuti varambe vagere munyika yokwaJudha. Asi Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose ivavo vehondo dzavarwi vakatora chitsama chose chakasara chevokwaJudha chavanhu vakanga vadzoka kuzogara munyika yokwaJudha vachibva kuvanhu vechirudzi vose kwavakanga vaparadzirwa. Paiti varume navakadzi navana navakunda vokwamambo nomunhu wose akanga asiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vokwamambo ari mumaoko maGedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani uyewo nomuporofita Jeremiya naBharuku mwanakomana waNeriya. Ivavo vakasvika munyika yeIjipiti nokuti vakanga varamba kuteerera izwi raTenzi. Vakasvikira kuTahipanhesi. Ipapo shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya muTahipanhesi imomo rikati, “Tora mumaoko mako mhitsa dzamabwe udzivige muvhu munzira yakaita zvokuroverwa kunopindwa nako mumuzinda waFarao uri muTahipanhesi muno, vanhu vokwaJudha vachizviona. Uti kwavari zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, chinzwai, ndichatumira shoko rokundotora muranda wangu Nebhukadhireza mambo weBhabhironi. Ini ndichagadzikira chigaro choumambo hwokwake pamabwe iwaya andaviga apa. Achazobhabhanura kumisa katendhe kake koumambo kane denga nechapamusoro pawo. Achasvikorova nyika yeIjipiti achipinza vakatemerwa denda kudenga vakatemerwa utapwa kuutapwa nokuuraisa nebakatwa vakatemerwa kurufu rwebakatwa. Achatungidza moto mumatemberi avamwari veIjipiti; iye achavapisa agovatakura senhapwa achichenesa nyika yeIjipiti sokuchenesa kunoita mufudzi jasi rake achiribvisa zviundudzi. Achazobva ipapo oenda hake murunyararo. Achaputsa mabwe marefu eimba inonzi yezuva munyika yeIjipiti muno. Acharirimisawo nomoto temberi dzavamwari veIjipiti.” Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richinangana navaJudha vose vakanga vagere munyika yeIjipiti kuMigidhori nokuTahipanhesi nekuMemufisi nokunyika yePatrosi richiti, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, handiti makazvionera here, nhamo yandakapinza Jerusaremu namaguta ose okwaJudha, chionai kuti, pari nhasi angova matongo zvawo asina ageremo zvakonzerwa nouipi hwavakaita. Vaindishatirisa nokuita kwavo vachienda kundopisira rusenzi nokutoshandirawo vamwe vamwari vavasingazivi ivo kana imi kana madzibaba enyu. Asi ini ndaingoramba ndichitumira varanda vangu vose, vaporofita ndichiyambira kuti musaite zvinhu zvinosemesa zvandinovenga. Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo kuti vatendeuke kuuipi hwavo varege kupisira vamwe vamwari rusenzi. Ndokusaka ndakatsamwa ndikaviruka nehasha ndikapedzera shungu pamaguta okwaJudha nemigwagwa yeJerusaremu akabva aita marara zvawo nechinhu pasina sezvaari pari nhasi. “Saka zvino zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ‘Munodirei kuzviparira nhamo yakakura ikadai, kuzvitsakatisa murume nomukadzi nomucheche nomwana pakati pevokwaJudha zvokusara pasisina anosara?’ Munodirei kundishatirisa netwamunobata namaoko enyu imi, kutopisira zvenyu vamwe vamwari rusenzi munyika yeIjipiti mamakauya kuzogara kuti ndikutsakatisei muchizova vanhu vorushambwa nechiseko mukati memarudzi ose pasi pano? “Makakanganwa here uipi hwamadzibaba enyu nouipi hwamadzimambo okwaJudha nouipi hwavakadzi vavo, nouipi hwenyu pachenyu nouipi hwamadzimai enyu hwavakaita munyika yokwaJudha nomumigwagwa yomuJerusaremu? Havana kana nokutombozvininipisa kwose kusvikira pari nhasi. Havana kunditya kana kuchengeta mutemo wangu nezvirevo zvangu zvandakaisa kwamuri nokumadzitateguru enyu. Saka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari waIsiraeri: Chionai ndichakufuratirai ndigokuisai munyatwa ndichitsakatisa vokwaJudha. Ndichaita kuti chitsama chavanhu vokwaJudha chakasara chakada kuuya kuzogara kunyika yeIjipiti chitsakatiswe chose. Vachafira munyika yeIjipiti nebakatwa nenzara. Kubvira kuvacheche kusvikira kuvakuru vakuru vachafa nebakatwa nenzara vachibva vava ndove nechinhu chinokatyamadza nechine rushambwa nechiseko. Ndicharanga vanhu vanogara munyika yeIjipiti sezvandakaita Jerusaremu yandakaranga nebakatwa yeshangwa yenzara nedenda, kuitira kuti pachitsama chovokwaJudha vakasara vaya vakauya kuzogara kuIjipiti pashayikwe kunyange mumwe zvake anopunyuka kana kurarama kana kuzodzokerazve kunyika kwavaJudha kwavanodisa kudzokera vachinogarako, nokuti havasiri kuzodzokerako kunze kwavapoteri vashoma chete.” Ipapo varume vose vaiziva kuti madzimai avo vakanga vapisira rusenzi kuna vamwe vamwari namadzimai ose akanga amire, negungano guru navanhu vose vaigara kuPatirosi munyika yeIjipiti vakapindura Jeremiya vachiti: “Maererano neshoko raTenzi rawatitaurira, hatisiri kuzombokuteerera. Asi tichaita zvose zvatakatsidza kuita zvokupisira rusenzi kune hosi yedenga tichiipira mupiro wokuteura sezvatakaita isu namadzitateguru edu namadzimambo edu, uye namachinda edu mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu, nokuti panguva iyoyo taiva nezvokudya zvakawanda tichibudirira tisingawani njodzi. Asi kubvira panguva yatakaregera kupisira rusenzi kune hosi yedenga nokuipira mupiro wokuteura takava vanhu vasina chinhu tikabva taparadzwa nebakatwa nenzara.” Vakadzi ndokutiwo, “Patakapisira rusenzi kune hosi yedenga tichiipira mupiro wokuteura varume vedu vakanga vasina kutibvumira here kubika makeke ane mufananidzo wayo tichimupira mupiro wokuteura.” Zvino Jeremiya akataura kuvanhu vose varume navakadzi navanhu vose vakanga vamupa mhinduro iyoyi achiti, “Kana zviri zvorusenzi rwamakapisa muri mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yomuJerusaremu, imi namadzitateguru enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navagari vomunyikamo, Tenzi haana kurangarira here? Hazvina kupinda mundangariro dzake here? Tenzi haana kukwanisa kuramba achikuitirai mwoyo murefu mune zvakaipa zvenyu nezvinosemesa zvamunoita, ndokusaka nyika yenyu rava dongo, namarara norushambwa isina anogaramo sezvairi nhasi uno. Chikonzero ndechokuti makapisa rusenzi uye makatadzira Tenzi pamakarega kuteerera izwi raTenzi nokuchengeta mutemo wake nezvakatemwa nezvakapupurwa, ndizvo zvakonzera kuti muwirwe nezvakaipa sezvazviri nhasi uno.” Jeremiya akataura kuvanhu vose, varume navakadzi achiti, “Inzwai shoko raTenzi imi vokwaJudha mose muri munyika yeIjipiti, Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: ‘Imi namadzimai enyu makataura nomuromo yenyu, mukazvizadzisa nezviito zvamaoko enyu,’ muchiti, ‘Tichatozadzisa mhiko dzedu dzatakapika, dzokupisira rusenzi kuhosi yedenga tichimupira mupiro wokuteura.’ Naizvozvo itai zvamakapika muzadzise mhiko dzenyu. Saka inzwai Shoko raTenzi imi mose vokwaJudha vagere munyika yeIjipiti. Chinzwai, zvanzi naTenzi, ndakapika nezita rangu guru, kuti zita rangu harichazodanwi nomuromo waani zvake wokwaJudha munyika yose yeIjipiti achiti, ‘Ndinopika naMwari Tenzi mupenyu.’ Inzwai, ndiri kuvaongorora kuti ndivape zvinovaipira, kwete zvanovanakira. Varume vose vokwaJudha vari munyika yeIjipiti vachaurayiwa nebakatwa neshangwa yenzara kusvikira vapera. Vachapukunyuka pabakatwa vachabuda munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yokwaJudha, vava vashomanana. Vakasara vose vokwaJudha, vakauya kuIjipiti kuzogara; vachaziva kuti ane shoko rechokwadi ndiani, rangu here kana kuti ravo. Zvanzi naTenzi, ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri chokuti ndichakurangirai munzvimbo ino kuti muzive chokwadi chokuti zvakaipa kwamuri zvandakakuyambirai zvichaitika. Zvanzi naTenzi, chionai, ndava kuzoisa Farao Hofura mambo weIjipiti mumaoko mavavengi vake nomumaoko mevanotsvaka kumuuraya, sokuisa kwandakaita Zedhekiya mambo wokwaJudha mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi, muvengi wake aitsvaka kumuuraya.” Shoko romuporofita Jeremiya raakataurira Bharuku mwanakomana waNeriya paakanyora mashoko aya mubhuku achiaudzwa naJeremiya mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, achiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, kwauri iwe Bharuku: wakati iwe, ‘Ndine nhamo ini nokuti Tenzi akawedzera kusuwa pakurwadziwa kwangu. Ndaneta nokugomera kwangu, handiwani zororo.’ Saka taura izvozvo kwaari uchiti, Zvanzi naTenzi, Chinzwa, zvandakavaka zviya ndava kuzozvipaza uye zvandakasima ndava kuzozvidzura zvichireva nyika yose. Imi munozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Regai kuzvitsvaka nokuti chionai, ndava kuzounza nhamo kuzvisikwa zvose, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Asi iwe ndichaita kuti upunyuke noupenyu hwako.” Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya richitaura nezvevanhu vechirudzi. Zvakanangana neIjipiti: shoko rakataura richinangana nehondo yavarwi yaFarao anonzi Neko, mambo weIjipiti yakanga iri pedyo nerwizi rwaYufuratesi paKarikemishi, hondo iya yakazokurirwa naNebhukadhireza mambo weBhabhironi mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha; rakauya richiti: “Gadzirirai nhoo duku nehuru muende kundorwa hondo! Sungai mabhiza, chitasvai imi vatasvi vamabhiza. Mirai makarongana mumutsetse heremende dzenyu dziri mumusoro. Nyatsokwenenzverai kurodza mapfumo enyu. Shongai mademautare enyu okuzvidzivirira nawo muhondo! “Ko zvandava kuonazve izvi? Vapazama musoro, yava tsoka ndibereke kutiza. Varwi vavo vakurirwa chava chipatapata kutiza. Zvokucheuka hapasisina, zvinotyisa zvavakomberana ndozviri kutaura Tenzi. “Shasha dzokumhanya semhepo hadzimbogona kupatiza, kana murwi wehondo haapapunyuki, kuchamhembe kurwizi rwaYufuratesi vari kugumburwa vachiputsika. “Ndiani uyu ari kututumuka seNairi, senzizi dzafashukira nemvura mhiri nemhiri? Ijipiti yatutumuka saNairi senzizi dzafashukira mhiri nemhiri. Yakazviti ndichasumuka pasi pano ndipati fuse fuse kukwidibira ndichiparadza maguta navagari vemo. “Imi mabhiza chipindai muhondo, imi ngoro dzehondo chitii sika sika. Varwi vehondo ngavabudewo, vanhu vokuItiopia nokuPuti vanopakata nhoo navanhu vokuRudhi nyanzvi dzokupakata uta.” Musi iwoyo, izuva raMwari, Tenzi wehondo nehondo, zuva rokutsividza rokuti iye azvitsividze vavengi vake. Bakatwa richaparadza rikatoguta haro, richaguta kudutira ropa ravo. Nokuti Tenzi Mwari wehondo nehondo ari kupira chibayiro anoriita zuva guru rechibayiro kunyika yokuchamhembe pedyo nerwizi rwaYufuratesi. Kwidzai kuGireadhi mundotorako mushonga webharimu iwe mwanasikana mhandara, Ijipiti. Inga wakatamburira pasina kuzvirapa nemishonga yakawanda, zvokuti upore hazviiti. Ndudzi dzavanhu dzakanzwa guhu rokunyadziswa kwako; pasi pano pazara mhere yako nokuti varwi vehondo vakaita mawiramombe vachibva vati pamwechete pasi rikiti. Shoko iri rakataurwa naTenzi kumuporofita Jeremiya richireva nezvokuuya kwaNebhukadhireza, mambo weBhabhironi kuzorova nyika yeIjipiti, rakati: “Paridzai muIjipiti muzivise vanhu muguta reMigidhori muudze vanhu muMemufisi nomuTahipanhesi muti, ‘Mirai makagadzirira, sungai dzisimbe nokuti bakatwa richaparadza munharaunda menyu kutenderera.’ Zvauya sei kuti Apisi utize. Handira yako yakatadza kumira sei? Nokuti yakarigirwa pasi naTenzi. “Aita kuti vazhinji venyu vatatarike vachiwira pasi vakataurirana vachiti, ‘Ngatisimukei tidzokere kune vokwedu kunyika yedu kwatakaberekerwa. Pamusana pebakatwa romudzvinyiriri.’ “Daidzai Farao, mambo weIjipiti zita rokuti, ‘Nyamheremhereanopedzeranguvamukuzuwa.’ “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kureva Mambo ane zita rinonzi Tenzi wehondo nehondo kune mumwe achauya akati dzu-u segomo reTabhori mukati memakomo uye segomo reKameri pedyo negungwa? “Imi vagari veIjipiti sungai mikwende mugadzirire kuenda kuutapwa nokuti Memufisi ichava zvayo dongo risina ageremo. Ijipiti itsiru rinoyevedza asi imwe mbuwo yokuchamhembe yachiti naro tsvome tsvome. “Kunyange varwi vanorwira kubhadhara vava sezvigondora zvakakodzwa. Hongu, vapira gotsi, vachiti ware kutiza pamwechete, havana kumbopamira nokuti zuva ravo renhamo ravasvikira, nguva yokurangwa kwavo. “Ijipiti, iri kushona senyoka yozvongonyoka ichienda nokuti vavengi vayo, varivinga vakabopa vari kuuya vakaribatira matemo savatemi vemiti. Vachatema sango rake, ndizvo zviri kutaura Tenzi, kunyange zvazvo risingadimuriki nomo nokuti ivo pasi mhashu dzinosara kuwanda, havaverengeki. “Iye mukunda, Ijipiti achafumurwa achaiswa mumaoko mavanhu vokuchamhembe.” Tenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri ati: “Chinzwai, ndava kuunza shamhu yangu yokuranga Amoni anoereswa kuTebhesi pamwechete naFarao neIjipiti navamwari vayo namadzimambo ayo, pana iye Farao navanovimba naye. Ndichavaisa mumaoko mavanhu vanovavira kuvapfuudza upenyu, mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi namakurukota ake. Gare gare Ijipiti ichazogarwa zvayo sapamazuva ayo akare ndizvo zvareva Tenzi.” Asi rega hako kutya iwe Jakobho muranda wangu kana kukangaidzwa zvako iwe Isiraeri nokuti tarira, ndichakununura kure ikoko uye zvizvarwa zvako kunyika yavari youtapwa. Jakobho achadzoka agova muchechetere mvura yeguvi; pasisina anomutyisidzira. Zvanzi naTenzi, “Usatye hako iwe Jakobho muranda wangu nokuti ndinewe. Ndichanyatsoparadza ndudzi dzose, dzokwandakakutinhira. Asi iwe handibva ndanyatsokuparadza Ndichakuranga zviri pamwero chaipo Handimborega kukuranga.” Shoko raTenzi rakauya kunomuporofita Jeremiya richitaura nezvevaFirisitia Farao asati arwisa guta reGaza richiti, “Zvanzi naTenzi, chinzwai, mvura yava kusimuka ichibva kuchamhembe, ichava mafashamo chaiwo ehova dzichanyatsoti fasha nenyika ino nezvose zviri mairi, zvinoti guta navagari vemo. Vanhu vacharidza mhere, mugari wose zvake wenyikayo achihwihwidza kuchema. “Donzwa kukakatika kwamakumbo amabhiza ake makono nokuuruka kumhanya kwengoro dzake dzehondo nokuriridza kwamavhiri adzo madzibaba asisacheuki vana vawo, maoko avo achiti rukutu pamusana pezuva riri kuuya rokuparadzwa kwavaFirisitia vose, kutsakatisa muyamuri wose akasimba kuTire kana kuSidhoni, nokuti Tenzi ari kuparadza vaFirisitia, marimbirimbi acho evokwaKafutori kunyika dzokumahombekombe kwegungwa. “VokuGaza vava musvuu, guta reAshikeroni raparara. Imi marimbirimbi evaAnakimu kusvikira rini chaizvo muchingozvicheka-cheka kudai? Iwe bakatwa raTenzi, kusvikira rini chaizvo kuti uzonyarara. Chizvipinza hako muhara mako uzorore wakati mwi-i. “Ringagonyarara sei kana Tenzi aritemera basa rokuita, rokurwisa kuAshikeroni nokumahombekombe kwegungwa kwaakarituma?” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri nezveMoabhu, “Zvazoriwana guta reNebho nokuti raparara, Kiriyataimu yanyadziswa, yatorwa, guta remasvingo rafumurwa rapazwa. Mbiri yeMoabhu hapasisina muguta reHeshibhoni imomo vakarirongera bangano rakaipa rokuti, ‘Uyai tiritsakatise sorudzi.’ Nairowo guta reMadhimeni richaitwa kuti riti zirikiti kunyarara, bakatwa richakuronda. “Heyo mhere yarira kuHoronaimu! Hero dongo zvaro, raparara zvokuparara zviya! Moabhu yaparara, heyo mhere yepwere dzacho nokuti vanokwira mukwidza wokuRuhiti iri mhere chete kuhwihwidza nokuti pamateru okuHoronaimu heyo mhere yenhamo yokuparadzwa. “Tizai muzviponese. Itai sedhongi romusango murenje, pari pamusana pokuti makavimbaka imi namabasa enyu noupfumi hwenyu, newewo uchatotorwa iye mwari wenyu Kemoshi achaendwa naye kuutapwa, pamwechete navapristi vake namachinda ake. “Mharadzi ichasvika mumaguta ose pasina kana guta rinopapunyuka, nhika ichaparara bani richiparadzwa sokureva kwakaita Tenzi. Ipa Moabhu mapapiro kuti abhururuke, maguta ayo achava matongo asina munhu ageremo.” Ngaawirwe norushambwa munhu asingaite basa raTenzi nomwoyo wose. Ngaawirwe norushambwa munhu anochengeta zvake bakatwa asingadeure ropa naro. Moabhu yakagarika kubvira paupwere hwayo uye igere zvayo kudivi ramakomo kusina mhepo. Haina kana kumbokwengurwa zvayo, chirongo nechirongo kana kutomboendeswa muutapwa. Saka mukanwa mayo muchakangodaro kunhuwirira kwayo hakusatiwo kwasanduka. “Naizvozvo, zvanzi naTenzi chinzwai, ‘Mazuva ari kuuya andichaitumidzira vadeuri vachamurereka vagokwengura midziyo yayo vachipwanya-pwanya zvirongo zvayo.’ Ipapo Moabhu ichanyara namwari wayo, Kemoshi, sokunyara kwakaita imba yeIsiraeri neBhetieri chivimbo chayo. “Chamungabangotaurirawo muchizviti, ‘Tiri magamba chaiwo chii, nemvumba chaidzo dzokurwa hondo,’ Mharadzi dzeMoabhu namaguta ayo vakwidza kuno uku. Majaya ayo, ano chaiwo, akasvika achiti zvino rororo kufa. Ndizvo zviri kutaura Mambo ane zita rokuti Tenzi wehondo nehondo. Nyatwa yeMoabhu yasvika nhamo yayo iri kumhanya kuuya. Ichemei imi mose muri munharaunda yayo yakaitenderera nemi mose munoiziva nezita. Itii: ‘Zvauya sei chokwadi kuti tsvimbo huru youmambo ityoke, mudonzvo wacho wembiri.’ Jitika pambiri yako apo ugarewo pasi pakati kukutu kuoma, iwe mugari weDhibhoni nokuti mharadzi yeMoabhu yakuvinga ikaparadza nzvimbo dzoko dzokuhwanda muhondo. Mira panzira utarise iwe mugari wokuAroero ubvunze mutizi nomupunyuki kuti, ‘Zvaita sei?’ Moabhu yanyadziswa nokuti yaputsika, hwihwidzai muchichema! Udza vanhu muna Arinoni kuti, Moabhu yaparara. “Yasvika nguva yokutongwa kwenyika yomuzanda wakasandarika neHoroni neJahiza neMefaati neDhibhoni neNebho neBhetidhibhuratimu neKiriyataimu neBhetigamuri neBhetimeoni neKiriati neBhozira namaguta ose enyika yeMoabhu okure neepedyo. Umambo hwekwaMoabhu hwaparara, simba reMoabhu rakaparara. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.” “Muraradzisei nokuti azvitutumadza kwazvo pana Tenzi muite kuti Moabhu isare yava kuumburuka mumarutsi ayo iyowo ive chiseko chenyika. Handiti Isiraeri yanga iri chiseko chako iwe Moabhu. Iyo Isiraeri yakambowanikwa iri pakati pembavha here, zvaunobva wati paunongotaura nezvayo unobva wadzungudza musoro kudaro? “Tamai mumaguta mundogara mubako, imi vagari veMoabhu. Itai hwenjiva inovaka dendere mumativi memipata yamakomo. Guhu rokuzvikudza kweMoabhu takarinzwa, kuzvikudza kukuru kwazvo nokuzvitutumadza kwayo nokuzvizuwidza kwayo nokuzvidadisa kwayo nomwoyo wayo wokuzvinyundumadza. “Ndinoziva unhunzvatunzva hwayo, kuzvikudza kwayo hakuna zviripo zviito zvayo hazvina maturo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndokusaka ndichihwihwidza kuchema Moabhu, ndinobongomora mhere kuchema Moabhu yose, ndinochema vanhu vokuKiriheresi. “Iwe mugirepisi weSibhuma, ndinokuchema kupinda gungwa reJazeru! Mapazi ako anotandira napamusoro pegungwa kusvikira nokuJazeru. Michero yako yapazhizha nezvinobva mumunda wamagiresi zvawirwa nomuparadzi. “Rufaro nokupembera zvabviswa munyika inobereka zvakawanda, nyika yeMoabhu. Ndakaita kuti waini ipwe muzvisviniro zvewaini. Hapana achambokanya magirepisi nenziyo dzokufara, kudaidzira kwaro hakusisiri kwokufara. “Maguta Heshibhoni neEreare aridza mhere nokuJahazi kwose vadudza nezwi ravo kubvira kuZoari kusvikira kuHoronaimu nokuEgiratishereishiya. Chiripo ndechokuti mvura yokuNimurimu yaperawo. Izvozvi ndava kuita kuti Moabhu zvichiiperera, ndizvo zvinotaura Tenzi, iyo Moabhu inopira chibayiro panzvimbo yakatunhumara yokuteurira ichipisira rusenzi kuna mwari wayo. Ndokusaka ndichidandaura mumwoyo senyere, ndichichema Moabhu. Mwoyo wangu uri kuchema senyere vanhu vokuKiriheresi nokuti upfumi hwavanga vazviwanira hwaparara. “Musoro woga woga wakaveurwa, uye ndebvu dzose dzaguswa, akachekwachekwa maoko ose akasungira saga muchiuno. Pamatenga ose edzimba dzeMoabhu napamisika yayo kunongova kuchema koga koga, nokuti ndakapwanya Moabhu sehari isina achaida. Ndizvo zvinotaurwa naTenzi. Kupwanyika here ikoko! Kuungudza here ikoko! Kudzoka here ikoko kwakaita Moabhu achinyara! Moabhu yava chiseko chenyika nechinhu chinokatyamadza vose vomunharaunda yayo.” Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi: “Mamboti maonei zvenyu, kuchaita munhu achabhururuka ari mhepo zvayo kumhanya segondo, achitambanudzira mapapiro ake kurwisa Moabhu! Maguta achatorwa uye nhare dzokuzvidzivirira muhondo dzichabvutwa. Mwoyo yavarwi veMoabhu, pazuva iroro, ichaita semwoyo womukadzi ari pakusununguka. Moabhu ichaparadzwa isisazovazve rudzi, pamusana pokuti yakazvitutumadza ichirwisana naTenzi. Kutyisa negomba nomusungo zvakumirira iwe mugari weMoabhu. Ndizvo zvinotaura Tenzi. “Anenge atiza zvinhu zvinotyisa achawira muhunza anenge abuda muhunza imomo achabatwa nomusungo nokuti ndichapinza Moabhu muna izvozvi mugore rokurangwa kwavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Mumumvuri weHeshibhoni vatizi vanombomiramo simba ravaperera nokuti muHeshibhoni mabvira moto, murazvo wabvira mumba maSihoni. Waroromesa huma yeMoabhu, ndaza youmambo hwokuvanakomana vebongozozo. “Zvakuwana iwe Moabhu! Vanamati vaKemoshi pavo pavaperera nokuti vanakomana venyu navanasikana venyu vakatapwa vaendwa navo kuutapwa. “Zvakadaro zvazvo ndichadzosera Moabhu makomborero ayo mune ramangwana,” ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvarehwa izvozvi ndokutongwa kuchaitwa Moabhu. Zvanzi naTenzi nezvevekwaAmoni, “KwaIsiraeri hakuna vanakomana here? Hakunawo here mudyi wenhaka? Ko Mirikomu adarirei kutorera vokwaGadhi nyika, vanhu vake vachitondogara mumaguta avo? “Naizvozvo chinzwai, zvanzi naTenzi, mazuva achasvika andichaitisa kuti ngondo inzwike yokurwisa guta reRabha yevokwaAmoni. Richava chimudhuri chedongo, misha yaro icharoromeswa nomoto. Isiraeri ndopaichapamba vaya vakamboipambawo. Ndizvo zvinotaura Tenzi. “Iwe guta reHeshibhoni hwihwidza kuchema nokuti guta reAi raparara! Ridzai mhere imi vanasikana veRabha! Sungai masaga muchiuno, ungudzai muchimhanya uko nokoko, mukati moruzhowa noruzhowa! Chatovapo ndechichi chokuti iye Mirikomu mwari wenyu achaendwa naye kuutapwa pamwechete navapristi vake namachinda ake. “Chaunozvitutumadzira namapani ako chii, iwe mwanasikana asina kutendeka, iwe unovimba noupfumi hwako uchizviti, ‘Ndiani chaizvo angauye kuzondirwisa?’ Chinzwa, zvanzi naTenzi Tenzi wehondo nehondo ndiri kukuunzira kutya kuchibva kumativi munharaunda mako. Muchatandaniswa muchiburitswa kunze munhu wose achitiza nepaakananga napo ipapo pasina anokokorodza vanenge vatiza. “Asi gare gare ndichazodzosera zvangu makomborero evokwaAmoni ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Kune veEdhomu zvanzi naTenzi wehondo nehondo: “Ko munyika yeTemani ungwaru hamusisina here? Vangwaru vapererwa namazano here? Uchenjeri hwavo hwavatiza here? “Pishinukai mutizire kundohwanda munzvimbo dzakadzika-dzika, imi vagari vokuDhedhani nokuti ndichaunza nyatwa yokwaEsau pavari panguva yandichavaranga. “Kuri kuti mavingwa navatanhi vamagirepisi, havangakusiyirei kana mamwe okufuhwa here? Kuri kuti mbavha dzauya nousiku, handiti dzinongopaza pokuzvibatsira idzo chete here? Asi vokwaEsau ndakavasiya vasisina chavanacho. Pavanohwanda ndakapaisa pachena, kuzvivanza haachagoni. Vana vake vakaparadzwa pamwechete navakoma-navanun'una vake, vavakidzani naye vakapararawo, naiyewo hapasisina. Siyai zvenyu nherera dzenyu, ndichadzichengeta dziri mhenyu uyewo chirikadzi dzenyu ngadzivimbe neni. “Nokuti zvanzi naTenzi: ‘Kana vanhu vakanga vasingakodzeri kunwa mukombe iwoyo vakaunwa, ko iwe ndiwe ungazogare here usina kurangwa? Haumborega kurangwa, unotounwa chete.’ Nokuti ndakapika neni pachangu, ndizvo zvinotaurwa naTenzi, kuti Bhozira ichava chinhu chinokatyamadza. Ichava chiseko nerenje zvaro nechinhu chine rushambwa uye maguta aro ose achava matongo okugara nokugara.” Ndakanzwa dama rakabva kuna Tenzi nenhume yakatumwa mukati memarudzi avanhu ichiti, “Kokorodzanai pamwechete murwise Edhomu musimuke murwe hondo nokuti, chionai, ndava kukudukupisai pakati pamarudzi ose kukuitai vanhu vakashoreka mukati mavamwe. Kutyisidzira okuzvikudza kwenyu zvakakufurirai, imi munogara mumikaha yamatombo iyemi munotonga misoro muri pameso pamakomo. Kunyange zvazvo mukaisa matendere enyu padengadenga segondo, ini ndichakutozomorai ipapo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Edhomu ichava chinhu chinokatyamadza. Munhu ose anodimura nemo achakanhamara achiridza muridzo pamusana petsaona dzaro, sezvakaita Sodhomu neGomora pamwechete namaguta akanga akavakidzana nawo paakaparadzwa. Ndizvo zvinotaura Tenzi. Hapana munhu achaita musha imomo kana munhu wokugara kwekanguva chete imomo. Regai muone, ndichaita seshumba yabva mujokochwa romuna Jorodhani ichauya kumafuro, vachaerekana ndava kuvaitisa chimwandamwanda kubva muEdhomu. Ndichaisarudzira chero wandinenge ndada kuti aitonge. Ndinodaro nokuti ndiani akaita seni? Ndiani chaizvo angandigadze dare? Ndoupi mufudzi angamirisane neni? Naizvozvo chinzwai chirongwa charongerwa Edhomu naTenzi nezvaari kuda kuita kuvagari vokwaTemani ivavo chokuti: Kunyange notwana twedanga irori tuchandundurutswa, danga ravo rigonyatsodumbirwa chaizvo nomugumo wavo. Kurira kwokuputsika kwavo kuchadederesa nyika, mhere yokuchema kwavo ichinzwika kuGungwa Dzvuku. Chinzwai mumwe achakwira mudenga ari mhepo zvayo kubhururuka segondo agovinga guta reBhozira akatambanudza mapapiro. Izvozvo mwoyo wavarwi vokuEdhomu musi iwoyo uchaita somwoyo womukadzi ari mumarwadzo pakusununguka. “Izvi ndizvo zvakataurwa nezveDhamasikusi zvokuti, Hamati neAripadhi vatenderera musoro nokuti varikunzwa mashoko akaipa, vaparara nokutya. Vabvongodzeka segungwa risinganyarari. Dhamasikusi yaondoroka yapishinuka ikatiza. Yabatwa nokutya, yarwadziwa mwoyo yasuruvara somukadzi ene mimba yarwadza. Zvauya sei kuti guta risuwe, guta rangu, guta rorufaro. “Naizvozvo majaya aro achati rakata munhandare dzaro, masoja aro ose achaparadzwa zuva iroro. Ndizvo zviri kureva Tenzi wehondo nehondo. “Ndichavesa moto murusvingo rweDhamasikusi ucharoromesa nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo yokwaBhenihadhadhi.” Zvakatongerwa Kedhari nenyika dzeHazori dzakakundwa naNebhukadhireza mambo weBhabhironi. Zvanzi naTenzi, “Simukai murwise Kedhari! Paradzai vanhu vokumabvazuva! Matendhe avo nezvipfuwo zvavo zvinofanira kuti zvitorwe namachira avo okudzikatirisa nezvinhu zvavo zvose, nengamera dzavo vanofanira kuti vazvitore zviendwe nazvo. Varume vachadaidzira kwavari vachiti, ‘Hokoyoi kumativi kwose kwaipa.’ Tizai, dzengererai muri kure, garai makadzika, imi vagari veHazori. Ndizvo zvinotaura Tenzi. Nokuti Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akurongerai zano rakaipa, ane chinangwa chakaipa. “Zvanzi naTenzi, Simukai munorwisa rudzi ruri pamutambaratede, rugere zvarwo pasina chinorunetsa rusina misuo mukuru kana zvihuri runogara ruri rwoga. Ngamera dzavo dzinofanira kutorwa, matanga avo emombe apambwa. Vose vanogera vhudzi kuitwa makona mumusoro ndichavati mwarara kumativi kwose. Ndichaita kuti nyatwa dzivakombe kumativi ose, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Guta reHazori richava dambiro zvaro ramakava richazogara riri dongo nokusingaperi. Hapana munhu achagaramo kana wokumbogarawo zvake kwekanguva chete imomo.” Izwi raTenzi rakauya kumuporofita Jeremiya richitaura nezveEramu pakutanga kwokutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha rikati, Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Regai muone zvenyu ndichatyora uta hweEramu, musimboti wesimba ravo. Ndichaita kuti Eramu ivingwe nemhepo dzokumativi mana edenga ndigovati mwarara kumhepo ina dzose idzodzo. Hakuna rudzi rwavanhu kusingazoendwi nevanenge vadzingwa muEramu. Ndichapinza muEramu mweya woumbwende, wokutya vavengi vavo, navanhu vanotsvaka zvokupfuudza upenyu hwavo. Ndichavapinza nhamo ndigouya nehasha dzinotyisa ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichavatumidzira bakatwa rivaronde kudzamara ndavapedza kuti nho. Izvozvo ndichaisa chigaro changu choumambo muEramu ndigoparadza mambo wavo namachinda avo, ndizvo zvinotaura Tenzi. Asi mumazuva okupedzesera ndichadzosera Eramu makomborero ayo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Shoko iri rakataurwa naTenzi nokumuporofita Jeremiya richinangana neBhabhironi uye richinangana nenyika yavaKaridhea rikati: “Paridzai mukati memarudzi avanhu muzivise vanhu nhau dzikai mureza mupadze, regai kuzviviga mumwoyo muti, Bhabhironi yatorwa, mwari wayo Bhero wafumurwa mwari wayo Merodhaki akangaidzwa. Zvifananidzo zvayo zvokunamata zvanyadziswa zvifananidzo zvayo zvokunamata zvakangaidzwa! Ndinodaro nokuti kuchamhembe, kuri kuuya rudzi rwavanhu kuzorwisa ruchasiya nyika yayo yava renje risina achagaramo vanhu nemhuka zvichatiza. “Zvanzi naTenzi mumazuva iwayo uye panguva iyoyo vanhu vokwaIsiraeri navanhu vokwaJudha vachaungana pamwechete vachichema pavanenge vachiuya kudaro, vachatsvaka Tenzi, Mwari wavo. Vachabvunza nzira yokuguta reZioni vobva vananga kwairi vachiti, ‘Uyai tindozvibatanidza naTenzi nechitenderano chokugara nokugara chisingazokanganikwi.’ “Vanhu vangu vava hwai dzakarasika, vafudzi vadzo vakadzitungamirira mumutome zvamo vakadzisairira mumakomo. Dzava kumbeya namakomo nomuzvikomo dzakanganwa, uye dzisisazivi danga radzo. Chose zvacho chinodziwana chinodzidya uye vavengi vadzo vanotozviti, ‘Hatina mhosva nokuti ivo ndivo vakatotadzira Tenzi, iye ugaro hwavo chaihwo, Tenzi chitarisiro chamadzibaba avo.’ “Tizai mukati meBhabhironi mubve munyika yevaKaridhea muite sezvikotora zvatungamira danga nokuti hezvi ndiri kunyandura boka ramarudzi makuru avanhu okunyika yokuchamhembe andiri kuunza kuzorwisa Bhabhironi. Ivo vacharonganirana kuzoirwisa kubvira ipapo ichatorwa. Miseve yavo yakaita senyanzvi yokurwa hondo isingadzoki isina chayaita Nyika yeKaridhea ichapambwa vapambi vayo vose vachaguta, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” “Kufara, kufara zvako, kupembera, kupembera hako, iyewe nyakupamba nhaka yangu kunyange uchikara hako uswa setsiri kudaro uchihwihwidza somikono yamabhiza, amai vako vachafumurwa zvokunyatsofumurwa zviye, ivo vakakubereka vachanyadziswa. Rega uone, vachava vokupedzesera pamarudzi avanhu, vachava renje rakaoma regwenga zvaro. “Pamusana pehasha dzaTenzi haisi kuzombogarwa navanhu asi ichava renje zvaro. Wose anozopfuura nepaBhabhironi achakatyamadzwa nazvo maronda ayo ose. “Ronganai murwise Bhabhironi muite zvokuikomberana. Imi mose vakungi vouta ipfurei murega kusara kana nomuseve nokuti yakatadzira Tenzi. Iitirei ruzha makaikomberana yakanda pasi mapfumo. Zvainovimba nazvo muhondo zvaputsika masvingo ayo apazwa, nokuti uku ndiko kutsividza kwaTenzi mutsividzei muitewo kwaari zvaakaitawo. “Paradzai varimi vembeu muBhabhironi navacheki vanobata jeko panguva yokukohwa. Pamusana pebakatwa romudzvinyiriri, munhu wose achatizira kuvanhu vokwake, munhu wose achitizira kunyika yokwake. “Isiraeri ihwai iri kuvhimwa iri kudzinganiswa neshumba. Pakutanga akambozhanyiwa neAsiria. Zvino Nebhukadhireza mambo weBhabhironi ari kun'un'una mapfupa ake. Naizvozvo zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, ndiri kuunzira mambo weBhabhironi nenyika yake chirango sokuranga kwandakaita mambo weAsiria. Ndichadzorera Isiraeri kumafuro ayo. Achafura zvake paKarimeri nokuBhashani. Zvaanoda zvose achazviwana pazvikomo zvokwaEfuremu uyewo muGiriadhi. Pamazuva iwayo, nepanguva iyoyo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vanhu vachaedza kutsvaka uipi muIsiraeri asi munenge musisina, vachaedza kutsvaka zvitadzo munyika yokwaJudha asi hapana zvavanowana; nokuti ndicharegerera zvitadzo zvechitsama chavanhu vandinenge ndasiya.” “Endai mundorwisa nyika yeMirataimu mundorwisawo vagari vokuPekodhi. Urayai mutevere muchinyatsoparadza, ndizvo zviri kutaura Tenzi kuti itai zvose zvandati muite. “Mheremhere yehondo yava munyika uye kuparadza kukuru! Zvazoitikaiwe! Iyo nyundo yapasi pose yagwishurwa ikapwanyika! Iyo Bhabhironi chaiyo yava chinhu chinokatyamadza pakati pamarudzi avanhu! “Ndakakuteya ukasungwa nomusungo iwoyo, iwe Bhabhironi asi iwe hauna kuzviziva. Wakaonekwa wakanzi koche mumusungo nokuti wakamirisana naTenzi. “Tenzi azarura maanochengetera zvombo zvokurwisa nazvo muhondo akaburitsa zvombo zvacho zvehasha dzake nokuti Tenzi Mwari wehondo nehondo ane chokuita munyika yavaKaridhea. “Uyai kuzoirwisa muchibva kwose kwose svikozarurai matura ayo muiunganidze kuita mirwi nemirwi sembesanwa mugoitsakatisa pasina charo chinosara. “Handira dzayo dzose, urayai; ngadzinobayiwa. Padzo padziperera nokuti zuva radzo rasvika ndonguva yokurangwa kwadzo. “Havo vanotiza munyika yeBhabhironi kundosvitsa shoko kuguta reZioni rokutsividza kwaTenzi, Mwari wedu, achitsividzira Temberi yake. “Kokai varwi vouta vapfure guta reBhabhironi, vose zvavo vanokunga uta. Dzikai musasa yematendhe makarikomberana parege kuwana anopunyuka. Ngariwane zvinopindiranawo nezviito zvaro muriitire zvakakodzerana nokuitawo kwaro nokuti rakazvikudza richizvidza Tenzi iye Mutsvene weIsiraeri. Naizvozvo majaya aro achati rakata munhandare dzaro uye navarwi vehondo vose vachaparadzwa zuva iroro, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Chiona, ndanangana newe iyewe nyakuzvikudza iwe, ndizvo zviri kureva Tenzi, Tenzi wehondo nehondo nokuti zuva rako rasvika, nguva yokuti ndikurange. “Nyakuzvikudza achagumburwa aputsika pasina wokumusimudza. Ndichatungidzawo moto mumaguta ake ucharoromesa zvomunharaunda make.” Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Vanhu veIsiraeri vari kudzvinyirirwa pamwechete novokwaJudha. Vose vakavatapa vakabva vavabatisisa chaizvo vakaramba kuvarega kuti vaende zvavo. Mununuri wavo anesimba, zita rake ndiTenzi wehondo nehondo. Achavamiririra panyaya yavo kuitira kuti awanise nyika zororo, asi achiishaisa zororo vagari veBhabhironi.” “VaKaridhea ngavauraiwe nebakatwa ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vagari veBhabhironi ngavauraiwe nebakatwa. Machindawo avo ngavauraiwe nebakatwa uye vangwaru vavo. Naro bakatwa pavashoperi kuti vave mazungairwa. Naro bakatwa pavarwi vavo vehondo kuti vaparadzwe. Naro bakatwa pamabhiza eBhabhironi nepangoro dzayo dzehondo, uye napahondo dzose dzavarwi vechirudzi vari mukati mayo, kuti vave vakadzi zvavo. Ngaipindirwe nebakatwa muupfumi hwayo kuti hupambwe. Ngavashaye mvura inonaya, mvura yavo ipwe nokuti nyika yavo inyika yezvifananidzo vanopengereka nezvifananidzo zvokunamata. “Naizvozvo mhuka dzomusango mapere zvichagara zvazvo muBhabhironi, nemhou dzichagara zvadzo mairi. Haichazombogarwa navanhu nokusingaperi kana kuzove navanhu vanozomboita musha mairi kwezvizvarwa nezvizvarwa. Sezvakangoita Mwari kuparadza guta reSodhomu nereGomora namaguta akanga akavakidzana nawo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, saizvozvo hapanawo achazogaramo kana munhu zvake achaita musha imomo. “Tarira uone vanhu vari kuuya vachibva kuchamhembe rudzi rune simba namadzimambo akawanda hero bvakapfaka riri kubva kwakaperera nyika chaiko. “Vakapakata uta nepfumo, vane utsinye, uye havana tsitsi. Kuriridza kwomutsindo wavo kunenge kuunga kwegungwa, vanotasva pamabhiza vakarongedzera somurwi ari muhondo vachizorwisa iwe mwanasikana Bhabhironi! “Mambo weBhabhironi akasvitswa shoko rezvavo, maoko ake achibva ati ragwada zvikamushungurudza zvikamurwadza somukadzi arwadzwa nemimba. “Chirega uone zvako, ndichaita seshumba yakwira ichibva mujokochwa resango romuna Jorodhani ichivinga danga rehwai rakasimba, vachayerekana ndovaitisa bararamhanya kutizamo ndigosarudza wandinenge ndada kuti aitonge nokuti ndiani akaita seni? Ndianiwo zvake angandigadze dare? Ndoupi mufudzi angamirisane neni? Naizvozvo, chinzwai mazano akarongerwa Bhabhironi kuti arikaurise nezvakaipa zvaakarongera nyika yavaKaridhea. Twana twezvipfuo zvavo twuchandundurutswa pamwechete namatanga ezvifuwo zvavowo. Matanga avo achatokanhamiswa nomugumo wavo. Kuriridza kwokukurirwa kweBhabhironi kuchadederesa nyika, mhere yayo ichanzwika mukati memarudzi.” Zvanzi naTenzi: “Chinzwa, ndava kumutsa mweya womuparadzi wokuzorwisa Bhabhironi, achirwisa vagari veKaridhea. Ndichatumira kuBhabhironi vapepeti vachazoipepeta zvavo vachirozva nyika yayo kusiya isisina chinhu, pavachaivinga vakaita zvokuikomberana, pazuva iroro renhamo. “Murwi wouta ngaarege kukunga uta kana kumira ari mademautare. Majaya avo musaasiye ari mapenyu paradzai zvokuparadza zviye hondo yayo yose zvayo. “Vachati rakata kufa munyika yevaKaridhea vamwe vakuvadzwa mumigwagwa yayo nokuti vokwaIsiraeri nevokwaJudha havana kubva vafuratirwa naMwari wavo, iye Tenzi wehondo nehondo. Asi nyika yevaKaridhea yakati pamu pamu kuzara nemhosva dzavakatadzira Mutsvene weIsiraeri. “Tizai mukati meBhabhironi regai munhu wose azviponese upenyu. Regai kutsakatiswawo mukurangwa kwayo nokuti iyi ndiyo nguva yokutsividza kwaTenzi achiiwanisa zvakakodzeranawo nayo. “Bhabhironi, mumaoko aTenzi yaiva mukombe chaiwo wendarama ichiraradzisa pasi pose zvapo. Marudzi aidutira waini yayo ndokusaka marudzi akapengeswa nayo. “Bhabhironi yangoyerekana yati ngondo ngondo yapwanywa, ichemei! Iigirei mushonga webharumu wokuitira kurwadzwa kwayo zvimwe ingarapike. “Taida kurapa Bhabhironi asi haina kurapika. Isiyei tiende mumwe nomumwe kunyika kwake nokuti kutongwa kwake, kwasvika kana nokudenga kunyange nomuchadenga umu. “Tenzi aburitsa pachena kuti hatina mhosva. Chiuya tizivise vanhu muguta reZioni basa raTenzi, Mwari wedu. “Rodzai miseve! Zadzai mikutu! “Tenzi amutsa mweya wamadzimambo wavaMidhi nokuti chinangwa chake neBhabhironi ndechokuiparadza, ikoko ndokutsiva kwaTenzi achitsividzira Temberi yake. “Misai mureza patsvingo dzeBhabhironi, zvokugariridza ngazvisimbaradzwe, isai varwi vokugaririra; vokuhwandira ngavagadzirire. Nokuti Tenzi akaronga uye akaita zvaakataura nezvevagari veBhabhironi. “Imi vokugara kumvura yakawanda imi muzere noupfumi penyu pakupererai, mudzira wakabata upenyu hwenyu wadimurwa. “Tenzi wehondo nehondo apika naiye pachake kuti, ndichakuti farara kuzadza navanhu semhashu vacharidza mupururu wokukurira. “Iye nesimba rake ndiye akaita nyika, ndiye noungwaru hwake akasika nyika. Uye nokunzwisisa kwake akawarira matenga. “Paanongoti buritsei muromo mumwechete mvura inodhiriridza mumatenga. Anoita kuti mhute isimuke kubvira kwakaperera nyika achiita kuti mumvura inonaya muve nemheni achiuyisa mhepo ichibva maanoichengetera. “Munhu wose rangova zungairwa, vanongova vanhu vasina ruzivo, mhizha yose yezvendarama ichinyadziswa nezvifananidzo zvayo zvokunamata nokuti zvifananidzo zvayo zvokunamata hazvina maturo uye hazvina mweya unofema mazviri. “Hazvina kana namaturo ibasa risina musoro. Panguva yazvo yokurangwa zvichaparara. “Iye haana kumboita saizvozvi iye mugove wevokwaJakobho nokuti ndiye akasika zvinhu zvose uye verudzi rwechiIsiraeri ndivo rudzi rwake rwenhaka. Zita rake rinonzi Tenzi wehondo nehondo. “Ndiwe nyundo yangu nechombo changu chehondo. Newe ndinopwanyanisa marudzi newe ndinoparadza umambo hwedzinyika. “Newe ndinobvambura-bvambura bhiza nomutasvi waro; newe ndichityoranisa ngoro yehondo nomuchairi wayo. “Newe ndinoita kanyama-kanyama murume kana mukadzi, newe ndichiita kanyama-kanyama munhu wechikuru kana wechiduku. Newe ndinodambura-dambura jaya kana mhandara. “Newe ndinoita kanyama-kanyama mufudzi nedanga rake rezvipfuwo. Newe ndinoita kanyama-kanyama murimi nevechikwata chake. Newe ndinoita kanyama-kanyama vatongi namadzishe. “Ndichatsividza Bhabhironi navagari vose vokuKaridhea iwe uchiona nameso ako pari pamusana pouipi hwose hwavakaita muguta reZioni, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Chinzwa, ndanangana newe zvino iyewe gomo roumharadzi, ndizvo zviri kutaura Tenzi; iwe unoparadza pasi pose. Ndichasumudza ruoko rwangu ndakanangana newe, ndigokukungurutsira pasi pamawere ndichikuita gomo rakatsva. “Mauri hamusi kuzombotorwa ibwe rokuvakisa pakona, kana ibwe zvaro rokuvakisa ugaro, asi kuti uchava dongo rechigariro, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Misai mureza pasi ridzai bhosvo mukati memarudzi, gadzirirai marudzi kuti aite hondo nayo. Kokerai umambo hwedzinyika dzimurwise imi munoti vokuArarati nevokuMini nevokuAshikenazi sarudzai mutungamiriri wehondo vokundoyirwisa unzai mabhiza semhashu dzinoparadza. “Gadzirirai marudzi azoita hondo nayo iwo madzimambo okuMidhi namasadunhu awo navatevedzeri vavo nenyika yose zvayo iri pasi payo. “Pasi padedera pamononoka namarwadzo nokuti zvakarongerwa Bhabhironi naTenzi zvinotoitika, zvokuita kuti nyika yeBhabhironi ive dongo zvaro risina ageremo. “Varwi veBhabhironi varega kurwa vangova munhare dzavo dzokuzvidzivirira nadzo hondo simba ravo rapera, vava vakadzi chaivo, misha yavo iri kuririma nomoto zvihuri zvayo zvatyoka. “Vokumhanya vari kuita zvokutosangana nhume ichisanganawo nenhume kundosvitsa shoko kuna mambo weBhabhironi rokuti guta rake ratorwa mativi ose zvawo. “Mazambuko ava mumaoko mavavengi, nhare dzokuzvidzivirira muhondo dzaroromeswa nomoto, varwi vehondo vatenderera nazvo musoro nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, iye mwanasikana uyu, Bhabhironi ava kunge buriro panguva yokupura. Kwangosara kanguva kadikidiki nguva yokukohwa yotosvika.” Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akandizhanya akanditsonda. Akaita kuti ndive mudziyo zvawo usina chinhu, andimedza segaranyanya. Azadza dumbu rake noudobo hwangu andidzumburudza. Utsinye hwandakaitirwa ini pamwechete nehama dzangu, ngahuitirwewo kuBhabhironi. Vagari veguta reZioni ngavati: “Ropa rangu ngaripfukire vagari vekuKaridhea,” regai Jerusaremu idaro. Naizvozvo zvanzi naTenzi, “Chinzwa, ini ndichakumiririra ndigokutsividzira. Gungwa rake ndichariomesa, kasipiti kake ndikaomese kuti gwa. Bhabhironi ichava murwi wamatongo dambiro zvaro ramakava nechinhu chinokatyamadza, chinhu chinoridzirwa muridzo wokusiririswa, isina ageremo. “Vachadzvovedzana pamwechete seshumba vachihon'erana sevana veshumba. Pavanenge vane manyawi kudaro ndichavagadzirira mabiko ndivararadzise kusvikira vafarisa uye kuti vakotsire hope dzomutorododo dzavasingazopepukizve, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichavadzikisa kundobayiwa sehwayana nehondohwe nezvikotora. “Bhabhironi chaiyo, kutorwa uku nhai! Kubatwa here chokwadi iyo chidadiso chapasi pose! Chaiyo Bhabhironi here kuva chinhu chinokatyamadza mukati memarudzi! “Gungwa rachiti fushe fushe kukwidibira Bhabhironi; Bhabhironi rakwidibirwa namasaisai aro anovhavhamuka, maguta aro ava renje zvaro nyika yakaoma, gwenga zvaro nyika isingagare munhu isina kana munhu anopfuura nomo. Uye ndicharangawo Bheru Mwari wavo, muBhabhironi. Ndichamurutsisa zvose zvaakamedza. Marudzi haasi kuzodiranazve kwaari rusvingo rweBhabhironi rwapazika. “Vanhu vangu! Budai mukati mayo! Munhu wose ngaazviponese upenyu kuhasha dzaTenzi dzinotyisa. Regai kurasa mwoyo kana kutya namarehwarehwa anonzwika munyika. Kana pakauya marehwarehwa gore iri kana kuzouya mamwe marehwarehwa mune rimwe gore, kunyange utsinye hwava munyika mutongi worwisana nomutongi. “Naizvozvo, chinzwa, mazuva ari kuuya andicharanga nawo zvifananidzo zvokunamata zveBhabhironi. Nyika yayo yose ichanyadziswa Vose vanenge vaurayiwa vachati rakata mukati mayo. “Izvozvo matenga napasi nazvose zviri mazviri, zvichaimba nomufaro pamusoro peBhabhironi nokuti mharadzi dzichauya kuzoirwisa dzichibva kuchamhembe ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Bhabhironi inofanira kuti iparadzwewo pamusana pavaIsiraeri vakaurayiwa, sokuti Bhabhironi yakaparadzawo vanhu vakaurayiwa vepasi pose. “Imi vanyakupunyuka bakatwa, chitoendai musambomira henyu. Muri kure kudaro yeukai Tenzi murangarire Jerusaremu kuti: “Takanyadziswa isu, kutsiudzwa takakunzwa takadonha uso nokunyara nokuti vechirudzi vakapinda munzvimbo dzinoera dzetemberi yaTenzi. “Naizvozvo, mazuva ari kuuya. Ndizvo zviri kutaura Tenzi pandicharanga zvifananidzo zvayo. Munyika yayo yose, vanenge vakuvara vachagomera. “Kunyange Bhabhironi ikareba kukwira mudenga. Uye kunyange kukwira kwayo mudenga kukasimbaradzwa, ndichangoiunzira mharadzi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Heyo mhere yokuchema muBhabhironi, ruzha rwokuparadza kukuru, ruri kubva munyika yevaKaridhea nokuti Tenzi ari kuparadza Bhabhironi achiita kuti ruzha rwayo rukuru runyarare. Masaisai avo anoriridza semvura zhinji, mheremhere yamazwi avo yakwira mutanda nokuti mharadzi yaivinga yasvikira iyo Bhabhironi. Varwi vayo vehondo vatapwa, uta hwavo hwatyorwa-tyorwa nokuti Tenzi, ndiMwari anotsiva achanyatsotsividza. “Ndichararadzisa machinda ayo navangwaru vayo namasadunhu ayo pamwechete navatungamiriri vehondo vayo navarwi vayo vehondo. Vachakotsira hope dzomutorododo dzavasingazopepukizve ndizvo zviri kutaura Mambo iye anonzi Tenzi wehondo nehondo. “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo rusvingo rwakapamhama rweBhabhironi ruchanyatsonzi pasi mwarara, nemisuo mikuru yaro yakareba kudaro icharirimiswa nomoto. Marudzi achashandira nhando, ndudzi dzavanhu dzichitambudzikira zvinhu zvinopiswa nomoto.” Izvi ndizvo zvakarongwa nomuporofita Jeremiya kuti zviitwe naSeraya mwanakomana waNeriya vokwaMahiseya pavakaenda kuBhabhironi naZedhekiya mambo wokwaJudha mugore rake rokutonga rechina. Seraya akanga ari jinda racho. Jeremiya akanyora mubhuku nyatwa dzose dzaizofanira kuwira Bhabhironi namazwi ose iwaya akanyorwa anoera nezveBhabhironi. Jeremiya akati kuna Seraya, “Ukange wazosvika kuBhabhironi, uone kuti mashoko ose iwaya waaverenga uti, ‘Imi Tenzi makataura nezvenzvimbo ino kuti muchanyatsoiparadza zvokuti hapana chichazombogaramozve kunyange munhu kana mhuka. Asi kutoti ichava dongo narini wose.’ Paunenge wapedza kuverenga bhuku irori risungirire dombo urikande murwizi rwaYufuratesi utaure uchiti, ‘Ndiko kunyura kuchaitawo Bhabhironi ikoku risingazodzumbunukizve zvichikonzerwa nenyatwa dzandichaiunzira.’ ” Apa ndipo paperera mazwi aJeremiya. Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo. Akatonga kwamakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake vainzi Hamutari mwanasikana waJeremiya wokuRibhuna. Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi achitevedzera zvose zvakanga zvaitwawo naJehoyakimu. Zvakazosvitsa chaipo pokuti Tenzi aite izvi zvakadai zvokubvisa Jerusaremu nenyika yevokwaJudha pameso pake, pamusana pokushatirwa kwaakanga aita. Zedhekiya akazopandukira mambo weBhabhironi. Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wegumi, pazuva regumi romwedzi iwoyo, Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akauya nehondo yake yose kuzorwisa Jerusaremu vakarikomba vakatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza chinenge musana kuita chokupindamo nacho. Nokudaro guta rakakombwa kusvikira mugore regumi nechiposhi rokutonga kwamambo Zedhekiya. Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina wacho, nzara yakabaya zvinorwadza muguta imomo zvokuti vanhu vomunyika imomo vakanga vasisina chokudya. Kwakapazwa rusvingo muguta imomo, hondo yose yavarwi ikasvova nousiku nokunzira yokusuo guru pakati petsvingo mbiri pedyo nebhindu ramambo, izvozvo vaKaridhea vakarikomba kudaro. Vakananga nokuArabha. Asi hondo yavaKaridhea yakaronda mambo ikabatira Zedhekiya kumapani okuJeriko. Hondo yake yose yakamudzvamuka, ivo vakabata mambo vakauya naye kuna mambo weBhabhironi kuRibhura mudunhu reHamati akamutemera chirango chemhosva yake. Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa, akaurayawo machinda ose okwaJudha paRibhura ipapo. Akasvukunura Zedhekiya maziso akamusunga nengetani. Mambo weBhabhironi akaenda naye kuBhabhironi, akamuisa mujeri kusvikira musi waakafa. Mumwedzi wechishanu pazuva regumi romwedzi iwoyo, riri gore regumi nechipfumbamwe rokutonga kwamambo Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru mukuru wevachengetedzi vamambo iyeyo, aishandira mambo weBhabhironi akapinda muJerusaremu. Akapisa imba yaTenzi nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusaremu nedzimba dzakanga dzakati kurei dzose akadzipisa nomoto. Hondo yose yevaKaridhea yakanga ino mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, vakakoromora tsvingo dzose dzakanga dzakapoteredza Jerusaremu. Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vamambo akatapa vamwe vanhu varombo navamwe vose vakanga vasara mugutamo navakanga vapandukira kuna mambo weBhabhironi pamwechete navamwe vose vaive mhizha vakanga vasara. Nebhuzaradhani, mukuru mukuru wavachengetedzi vokwamambo akasiyawo vamwe varombowo zvavo vokupedzesera vomunyika iyi kuti vave vachengeti vemigirepisi navarimi veminda. VaKaridhea vakadimura-dimura misimboti yendarira yaiva mumba yaTenzi nengoro nezibhavhu ziguruguru riya zvaiva pamba yaTenzi vakatakura ndarira yacho kuBhabhironi. Vakatakura mapoto namafoshoro nezvigero nembenge nendiro dzorusenzi nemidziyo yose yendarira yokushandisa muTemberi uyewo ndiro diki namagwati okutapisa moto nembenge namapoto nezvigadzikiro zvomwenje namadhishi orusenzi nemidziyo yomupiro wokuteura. Zvakanga zviri zvendarama, mukuru mukuru wevachengetedzi vamambo akazvitakura sendarama zvesirivha sesirivhawo. Kana zviri zvemisimboti miviri iya nezibhavhu ziguruguru rimwechete nehandira dzendarira gumi nembiri dzaraigadzikirwa dziya nezvigadzikiro zvacho, zvakanga zvagadzirwa namambo Soromoni achigadzirira imba yaTenzi, ndarira yacho yezvinhu zvose izvozvi hakuzi kurema ikoko kwayaiita. Kana zviri zvemisimboti iya, kureba kwemusimboti mumwechete kwaiita mamita masere, ukobvu hwaro kuritenderera huchiita mamita mashanu ane chikamu chemita chinenge choda kusvitsa chikamu chapakati napakati chemita utare hwacho hwakaita mamirimita makumi manomwe namashanu kukobvuka. Rakanga riine zimhango. Pamusoro paro paiva nechepamusoro chendarira. Kureba kwomusimboti mumwechete kukwira mudenga kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri. Paiva nakamumbure uye mapomegiraneti zvose zviri zvendarira zvaiva zviri pane chepamusoro chiya zvakachitenderedza. Uye musimboti wechipiri wakanga wakaita zvimwechetezvo uine mapomegiraneti. Mapomegiraneti aiva kumativi ainge ari makumi mapfumbamwe namatanhatu. Ose pamwechete, mapomegiraneti akakanga akarukirirwa, akatenderera, aiva zana. Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo uya akatapa mupristi mukuru, Seraya nomutevedzeri wavo Zefaniya nevachengetedzi vatatu vokumusuo. Muguta, akatapa mumwe mukuru mukuru aimbenge ari mutungamiriri wevarwi kuhondo namachinda amambo manomwe vaiva muguta umu nasamunyori womutungamiriri wehondo aitungamirira vanhu venyika iyoyi. Akatapawo makumi matanhatu avarume venyika iyi vaiva mukati megutamo. Nebhuzaradhani mukuru mukuru uya wevachengetedzi vamambo akaenda navo kuna mambo weBhabhironi kuRibhura. Mambo weBhabhironi akavaponda vakafa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndiko kutapwa kwakaitwa vokwaJudha vachibviswa munyika mavo. Uhu ndihwo uwandi hwavanhu vakatakurwa naNebhukadhireza mugore rechinomwe kuutapwa. Vaiva vari vaJudha zviuru zvitatu zvina makumi maviri navatatu. Mugore regumi nechisere rokutonga kwaNebhukadhireza, akatapa kubva muJerusaremu vanhu vaiita mazana masere ana makumi matatu navaviri. Mugore ramakumi maviri nerechitatu rokutonga kwaNebhukadhireza, Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vamambo akatapa vaJudha vaiita mazana manomwe ana makumi mana navashanu. Vanhu vose pamwechete vaisvika zviuru zvina zvine mazana matanhatu. Mugore remakumi matatu nechinomwe routapwa hwaJehoyakini mambo wokwaJudha, mumwedzi wegumi nechipiri, pazuva ramakumi maviri nechishanu romwedzi iwoyo, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi, mugore raakatangisa kutonga akasimudzira Jehoyakini mambo wokwaJudha pamusoro akamubudisa mujeri. Akataura naye zvakanaka akamupa chigaro chepamusoro kupinda madzimambo aayiva nawo muBhabhironi. Naizvozvo Jehoyakini akabvisa hanzu dzake dzousungwa. Mazuva ose oupenyu hwake akazenge ava kudya namambo pateburu nguva dzose. Panyaya yezvaaifanira kutambiriswa aitambiriswa mugove wezvinobva kwamambo nguva dzose maererano nezvaikwanisa kumuraramisa zuva nezuva kudzamara pazuva rokufa kwake upenyu hwake hwose. O babawe kani! Guta riya rangove guta iwe guta raimbove bvakapfaka ravanhu. Kuita sechirikadzi kudai! Guta raimbova mambokadzi chaiye pamaguta ose nhasi pidigu rava murandawo zvake. Usiku rinosvimha misodzi zvinosiririsa, misodzi ichiti mekete mekete, pamatama aro. Pazvikomba hapana kana mumwe wokurinyaradza. Shamwari dzake dzose dzakaritamba isina kunaka, ivo ndivo vatova mhandu dzaro. VaJudha, pamusana penhamo, vatapwa noutapwa vakapindana nouranda hwakaomarara vachiti njo mukati mevechirudzi, ivo pokugara vasina, vanodzingirira vaya vakavawira panguva yedambudziko ravo. Nzira dzokuenda kuZioni dzinoungudza nokuti anouya kumazuva makuru akatemwa hapana. Misuo yaro mikuru yachiti haradada kushama. Vapristi varo vari kugomera, vanasikana varo vakakwekweretswa, iro guta pacharo riri kutambura zvikuru. Mhandu dzavo ndidzo dzava pamusoro, vavengi varo ndivo vabudirira, nokuti Tenzi akavapinza dambudziko pamusana pezvikanganiso zvaro, vana varo vaenda kuutapwa vachitinhwa navavengi vavo. Jerusaremu yarasikirwa nomukurumbira wayo, machinda ayo ungati imhara chaidzo dzashaya mafuro dziri kutiza dzisisina simba dzichitiza vanodzidzingirira. Hezvo pamazuva ayo enhamo nokurwadzwa Jerusaremu inoyeuka zvinhu zvayo zvinokosha zvaiva zvayo kubvira pasichigare, vanhu vayo pavakawira mumaoko emhandu asi wokuibatsira pakanga pasina, vavengi vayo vaitonakidzwa zvavo nokuitarisa vachiisveeredza pamusana pokuputsika. Guta reJerusaremu rakatadza zvakaipisisa rikava chinhu chinosemesa, vaimboriremekedza vavakurishora nokuti vakariona riri mutwi, charo kugomera kwoga nokuvanza uso. Tsvina yaro yava pamijivha yaro asi kuti irangarire mugumo waro, haina. Saizvozvo kuputsika kwaro kunotyisa wokurinyaradza hapana. Ndionereiwo nhamo yangu, imi Tenzi muvengi wangu wakurira. Mhandu yakatambanudza maoko ayo ichitora zvayo zvinhu zvayo zvinokosha, yakatoona marudzi achipinda zvawo muNzvimbo Inoera ivavo vamakarambidza kupinda muungano yenyu. Vose vanhu varo vari kugomera vachitsvaka chokudya, votoshambadza zvinhu zvavo zvinokosha kuti vawane chokudya chokuvasimbaradza. “Tarisai zvenyu Tenzi muone ndiri kushorwa ini.” “Ko imi mose vapfuuri nenzira, hamunei nazvo here? Tarisaiwo zvenyu muone kuti kune nhamowo here yakaita senhamo yangu yakaunzwa pandiri, nhamo yandakapinzwa naTenzi pazuva rehasha dzake dzinotyisa? Akatuma moto ukapinda mumapfupa angu uchibva kumusoro. Makumbo angu akaateya namambure. Akandisiya ndadumbirwa, akandidzosa ndakati rukutu zuva rose. “Zvikanganiso zvangu vakazviita sejoko zvaro ravakasungirira namaoko avo pamutsipa wangu; akandipedza simba Tenzi akandiisa mumaoko evandisingagoni kumirisana navo. “Tenzi akaseka zvake magamba angu ose okurwa aiva mandiri. Akandirongera hondo yavanhu kuzoparadza vechiduku vangu. Tenzi akatsikatsika Jerusaremu somuguvi rewaini. Pamusana paizvozvi ndinochema. Maziso angu anoerera misodzi. Nokuti munyaradzi wokundisimbaradza ari kure neni. Vana vangu vachiti dano, havachisina chavanacho nokuti muvengi akunda. Guta reZioni rasimudza maoko richinamata asi wokurinyaradza hapana Tenzi akati vavakidzani naJakobho vave ndivo mhandu dzake. Jerusaremu yave chinhu chinosemesa kwavari. “Tenzi haana mhosva ini ndini ndakapanduka pane zvaakataura; asi chimbondinzwai zvenyu nhai vanhu mose muonewo zvenyu kutambura kwangu kuenda kuutapwa kuri kuita vanasikana vangu nevanakomana. “Ndakachema kushamwari asi vakandinyengedza, vapristi vangu nevakuru vakuru vafira muguta muno vachitsvaka chokudya chokuzviraramisa. “Tarisai zvenyu muone Tenzi nhamo yacho yandinayo. Ini ndatambura ini, mwoyo wangu wadzongodzwa mukati mangu nokuda kwokupanduka kwangu kwakaipisa; mumigwagwa'mu mapakatwa chete kuuraya, mudzimbawo rufu rwoga rwoga. “Ndinzweiwo kugomera kwangu, hapana wokundinyaradza. Zvakavafadza kwazvo vavengi vangu vose kunzwa nezvokutambura kwangu kuti ndimi makazviita. Unzai zuva renyu ramakatsidzira ivo vavewo sezvandiri. “Dai zvakaipa zvavo zvose zvangouya pamberi penyu zvazvo moitawo kwavari zvamakaita kwandiri.” Muti kwavari, “Sezvamakaita kwandiri nokuda kwezvikanganiso zvangu kuungudza kwangu kwawandisa uye mwoyo wangu warukutika.” Pamusana pehasha dzake Tenzi, kukwidibira here ikoko kwamakaita Jerusaremu negore! Akapatitsira pasi kubva mudenga chinonzi mbiri yaIsiraeri ichocho. Pazuva rehasha dzake haana kuyeuka chitambarariko chetsoka dzake. Tenzi zvaasina kuitira tsitsi vagari vose vokwaJakobho akavaparadza akakoromora nehasha nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo dzemisha yokwaJudha. Akaputsira pasi nyika nevatongi vayo akadzinyadzisa. Akaparadza nehasha simba rose reIsiraeri. Rubatsiro rwake akarega kuvapa, izvozvo muvengi achiuya. Akapisa, somoto, vokwaJakobho akaroromesa nharaunda yose. Akakunga uta hwake somuvengi, rudyi rwake rwateya kune mhandu. Akauraya vanhu vapamwoyo pedu akaviruka nehasha somoto muJerusaremu. Tenzi aita somuvengi; aparadza Isiraeri, aparadza mizinda yayo yose. Nhare dzayo dzokuzvidzivirira nadzo muhondo, akadziita matongo zvawo. Akawanziridza muJerusaremu kuchema nokuungudza. Akaparadza musasa wake somusasa womubindu achiita kuti nzvimbo yamazuva ake makuru ive dongo. Tenzi zvamazuva makuru namaSabata akazvimisa. Madzimambo navapristi akavazvidza pamusana pehasha dzake dzinotyisa. Tenzi akashora atari yake. Akaramba Nzvimbo yake Inoera. Tsvingo dzemizinda yake akadziisa mumaoko avavengi. Mumba yaTenzi makaitwa ruzha sapazuva guru rakatemwa. Tenzi akatema zvokuita kuti rusvingo rweJerusaremu ruve dongo, akaiganhura netambo rutivi rwaakanyatsoparadza. Nhare norusvingo zvakaungudza zvikadhirika pamwechete. Misuo yaro mikuru yakanyura muvhu akaondonga nokutyora zvihuri zvaro mambo waro namachinda aro vari mukati mevechirudzi. Zvomutemo hapachisina; vaporofita havachawana zvavanooneswa naTenzi. Vakuru vakuru veJerusaremu vanogara pasi vakanyarara vakazvidira ivhu mumusoro vakapfeka masaga, vasikana veJerusaremu vakakotamisa misoro yavo pasi. Maziso angu aneta nokuchema, iyeni pachangu ndadumbirwa shungu dzandipedza mwoyo pamusana pokuparadzwa kweguta ravanhu vangu nokuti vacheche netusvava twuri kuziya mumigwagwa yomuguta. Vanochema kunana amai vavo vachiti, “Chingwa newaini zviripi pavanoziya kudaro savarume vakuvadzwa mumigwagwa yeguta vachitandadza vari pamakumbo amai vavo.” Ndoti kudiiko kwauri ndokuenzanisa neiko iwe guta reJerusaremu? Ndokufananidza neiko kuti ndikunyaradze iwe mhandara tsvene yeZioni nokuti sokukura kwakaita gungwa ndokukurawo kwakaita kuparadzwa kwako. Ndiani angakudzorere pakare? Vaporofita venyu vaikuonerai zviratidzo zvenhema zvokunyengedza. Uipi hwenyu havana kuhuburitsa pachena kuti zvakanaka zvenyu zvidzokere kwamuri; vakakuonerai zviratidzo zvenhema zvinokutungamirirai kusiri iko. Vose vanopfuura nenzira vanorovanisa maoko; vanoridza tsamwa vachidzungudza musoro kuguta reJerusaremu, vachiti, “Ndiro guta riya here iri rainzi rakanakisisa kwazvo rinopa rufaro pasi pose.” Vavengi vako vose vanokusveeredza vachiridza tsamwa vachikunyinurira mazino. Vanotodanidzira vachiti, “Takariparadza; ndiro zuva rataimirira zvino tavanaro, tinoriona.” Tenzi akaita zvaakanga aronga akaita zvaakamboyambira sokutema kwaakanga azviita pasi chigare. Akapaza zvisina tsitsi akaita kuti muvengi afare nezvakaitika kwauri, akasimudzira pamusoro simba ravavengi vako. Mwoyo yavanhu inochema kuna Tenzi iwe rusvingo rweJerusaremu misodzi yako ngaiyerere serwizi siku nesikati usazorore kana kuzorodza maziso ako. Simuka ucheme usiku pakutanga panguva dzakasiyana-siyana dzokugaririra, durura zviri pamwoyo pako semvura mberi kwaTenzi. Simudzira maoko ako kwaari kuitira upenyu hwavana vako vari kurezuka nenzara pakona yoga yomugwagwa. Tarisai muone zvenyu, Tenzi kuti ndiani chaizvo wamuri kuitira izvozvi. Madzimai adye here mapudzi avo, vana vavo chaivo vavanochengeta nerudo kana kuti vapristi navaporofita vauraiwe muNzvimbo Inoera yaTenzi. Panze zvapo vakuru navadiki hero gatakata. Mhandara nemajaya vakauraiwa nebakatwa pazuva rehasha dzenyu pamakavauraya muchavakatakazha zvisina tsitsi. Makakoka kubva kumativi ose zvinotyisa sokunge pane, zuva guru rakatemwa iyi yakanga iri nguva yenyu yehasha, Tenzi. Hapana aipapunyuka ipapo kana kupararama vandairezva vacho ndichirera vavengi vangu vakavaparadza zvavo. Ini ndiri munhu ndakaziva nhamo neshamhu yehasha dzaMwari. Akandidzinga akandiendisa murima kwete muchiedza. Anonditendeudzira atendeudzazve shamhu yake muswere wose. Akaita kuti ndiperezeke muviri neganda rangu zviperezeke; akandityora mapfupa. Akandikomberedza akandiputira nenhamo namatambudziko. Akandigarisa murima savafi vepasi chigare. Akandipoteredza nechidziro zvokuti handikwanise kupunyuka, akandisunga nengetani dzake dzinorema. Kunyange ndikachema ndichikumbira kubatsirwa kunamata kwangu akakuvhariridza. Akadzivirira nzira dzangu namabwe akavezwa akamonyorotsa nzira dzangu. Kwandiri akaita sebere rakavandira uye seshumba yakahwanda. Akanditsautsa munzira yangu akandibvadzura-bvadzura akandisiya ndachiti dano! Akakunga uta hwake, chaainanga chacho ndini. Akandinanga pakaipa nemiseve yegoba rake. Ndakave chiseko chevanhu vose ndikave rumbo kwavari muswere wose. Akandigutsa nezvinovava akandiraradzisa negavakava. Akaita kuti mazino angu agejere namatombo akandiumburudza kumadota. Akandibvisira paupenyu chinounza rugare, ndakatokanganwawo chinonzi kugarika. Saka ndichiti zvangu zvomukurumbira wangu zvakapera uyewo zvandaitarisira kuna Tenzi zvakapera. Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini, igavakava nenduru zvayo. Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu. Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti: Mwoyochena waTenzi hauperi tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva. Kutendeka kwenyu kwakakura. Ini ndinoti Tenzi ndiye nhaka yangu, naizvozvo ndiye chitarisiro changu. Tenzi akanaka kuna vanomumirira kumunhu anomutsvaka. Chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaTenzi chinyararire. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri mudiki. Ngaagare pasi chinyararire nokuti ndiMwari anenge ariisa paari. Ngaaise zvake muromo wake pavhu zvichida pane chitarisiro chichiripo. Ngaaperekere zvake dama rake kune anorova ashorwe zvake zvizere. Nokuti Tenzi haarase munhu zvachose. Anogona kurwadzisa zvake asi ane tsitsi maererano nokuwanda kwemwoyochena wake. Hachisi chinhu chinomufadza kutambudza kana kurwadzisa vanhu. Zvokuti vasungwa vose vapasi pose vatsikwe-tsikwe pasi petsoka; kana kurega kupa munhu zvaanokodzera, zvaanemvumo nazvo pamberi paWokumusorosoro kana kusatonga mhosva dzavanhu zvakanaka izvozvi izvi Tenzi haazvidi. Ndiani angati chinhu ngachiitike chichibva chaitika kusatoti Tenzi ada kuti chiitike. Zvingave zvinhu zvakanaka kana zvakaipa handiti zvinenge zvatobva mumuromo woWokumusorosoro here? Chero munhu ari mupenyu chete anganyunyutirei kana achirangirwa zvitadzo zvake. Ngatitarisei tiongorore nzira dzedu tidzokere kuna Tenzi. Ngatisimudzirei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari kudenga tichiti, “Takatadza tikapanduka; asi imi hamuna kuregerera. Makamonerwa nehasha mukatironda muchiuraya zvisina tsitsi. Makazviputira imi negore zvokuti hapana munamato unogona kupfuura. Makatiita zvinhu zvisina maturo namarara pakati pavanhu. “Vavengi vedu vanotisveeredza. Kutya nehunza kwatiri zvauya uye kupera nokuparadzwa. Maziso angu anoyerera hova dzemisodzi pamusana pokuparadzwa kweguta ravanhu vangu. “Maziso angu acharamba achingosvimha misodzi pasina zvokumbomira. Kusvikira Tenzi atarisa kubva kudenga azviona. Zvandinoona zvakaitika kuvakadzi vose veguta rangu zvinondirwadza. “Ndakavhimwa ndavhimwazve seshiri navakanga vari mhandu dzangu pasina chikonzero. Vakandipinza mugomba ndiri mupenyu vakakungurutsira dombo pandiri. Mvura yakandikwidibira musoro ndikati ndaparara ini. “Ndakakudaidzai nezita imi Tenzi, ndiri pasi pegomba. Makanzwa imi chichemo changu musadzivire nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro. Makauya pedyo pazuva randakadanidzira kwamuri mukanditi, ‘Usatye.’ “Makaita hanya nezvenyaya yangu, Tenzi mukanunura upenyu hwangu. Imi Tenzi makaona zvakaipa zvakaitwa kwandiri. Ndienzanisireiwo nyaya yangu. Makaona, imi, kutsividza kwavo kwose netwavaindirongera. “Makanzwa imi Tenzi kunyomba kwavo netwose twavanondirongera vanondinyeya nokundifungira vavengi vangu vanondinyeya vachindifungira muswere wose wezuva. Kunyange pavanenge vagere zvavo kana kuti pavanenge zvino vamira ini ndini ndinongova rumbo rwavo. “Tenzi, dai mukavadzorera maererano nezviito zvamaoko avo. Vaomeserei mwoyo muvarengerere rushambwa. Muvadzingirire nehasha muvaparadze imi Tenzi, mudenga imomo.” Kubhuruvara here ikoko kwaita ndarama yedu! Ungati kusanduka here ikoko kwaita ndarama yakanakisisa. Matombo enzvimbo inoera achiti zvawo katakata pamakona emigwagwa yose. Tarisai muone vanakomana veJerusaremu vaimbova nouremo hwavo sendarama yakanakisisa, zvino kuita sehari dzevhu zvadzo dzakaumbwa namaoko omuumbi! Kunyange makava chaiwo anopa achiyamwisa vana vawo asi madzimai emuvanhu vangu vave noutsinye, vaita seshiri yemhou murenje. Rurimi rwamanyana rwavakutonamatira kumusoro mukanwa pamusana penyota, twana twunokumbira chokudya asi hapana anotwupa. Vaye vaidyiririra twunonaka vari kupararira mumigwagwa. Vaya vakarerwa muupfumi vava kutorara pamaturunhuru zvapo. Chirango cheguta revanhu vangu chikuru kupinda chirango cheSodhomu rakaparadzwa nekanguva kadikidiki pasina maoko akashandiswa pariri. Machinda aro akanga akachena kupinda mazaya echando; akachena kupinda mukaka. Miviri yavo yakanga yatsvukira kupinda mabwe ekorari; runako rwechimiro chavo rwakanga rwakaita sesafaya. Asi zvino zviso zvavo zvakasviba kupinda tsito. Hapana aigona kuvaziva mumugwagwa, ganda ravo rakaunyana rikaomorerana namapfupa avo rikaoma somuti. Vakauraiwa namapakatwa vaiva nani pane vokufa nenzara vakaondoroka nokushaya michero yeminda. Maoko amadzimai etsitsi akabika vana vavo pachavo vakave chokudya chavo pakaparadzwa guta revanhu vangu. Tenzi akanyatsoviruka chaizvo nehasha dzake akanyatsoratidza hasha dzake dzinotyisa akabakisa moto muZioni ukapisa ugaro hwaro. Madzimambo apasi pano havana kutenda, kunyange vagari vepasi pose havana kutenda kuti mhandu kana kuti muvengi angapinde mumisuo mikuru yeJerusaremu. Izvi zvakaitika pamusana pezvitadzo zvavaporofita varo nouipi hwavapristi varo vaideura ropa ravakarurama mukati maro. Vakadzengerera neguta samapofu mumigwagwa vakanga vakazorwa-zorwa ropa zvokuti hapana aida kuvabata hanzu. Vanhu vaidaidzira vachiti, “Ibvai makan'ora ibvai ibvai musavabate.” Naizvozvo vakave vatizi navadzungairi. Ndizvo zvaitaurwa nevechirudzi. Zvokuti vagare nesu hapachisina. Tenzi pachake akavamwararisa akarega kuita hanya navo; akarega kuremekedza vapristi; kana kupa rukudzo kuvakuru-vakuru. Takanga tichitsvokorera maziso tichitarisira rubatsiro, takatarisa tatarisazve kunyika isingakwanise kununura. Vanhu vakatiteeredza kwataienda zvokuti hataikwanisa kufamba mumigwagwa yedu. Kuguma kwedu kwakanga kwaswedera. Mazuva edu akanga apera, mugumo wedu wakanga wasvika. Vaitironda vaimhanya kupinda magora omudenga umu. Vakadzingirirana nesu mumakomo vakatigaririra murenje. Iye upenyu hwedu, muzodzwa waTenzi akatorwa mumakomba avo imomo iye wataiti isu, mumumvuri make ndimo matichagara tiri mukati mevechirudzi. Pembera ufare zvako iwe guta reEdhomu iwe mugari wenyika yokwaUzi. Nyange kwauri iyewe mukombe wenhamo uchakuvingawo, uchararadza ugopfekenura kusara wave musvo. Chirango chako iwe guta reZioni chakwana, haachazokuendesazve kuutapwa asi uipi hwako iwe guta reEdhomu uchahurangirwa, zvitadzo zvako achazviburitsa pachena. Yeukai, Tenzi zvakatiwira, mutarisewo zvenyu muone kunyadziswa kwedu. Nhaka yedu yashanduka yava yavatorwa, dzimba dzedu dzava dzamabvakure. Taita senherera dzisina baba; vanaamai vedu vaita sechirikadzi. Tavakutobhadhara mvura yatinonwa, huni dzatinowana totoita dzokutenga. Nejoko redu pamutsipa iwe, tinochairwa zvakaomarara uye taneta, zororo hatipiwi. Takaombera maoko isu kuvaIjipiti nokuvaAsiria kuti tiwane chokudya chakakwana. Madzitateguru edu akatadzira Mwari zvino havachisipo; asi isu ndisu tava kutakura mutoro wouipi hwavo. Tava kutongwa isu navaranda, wokutinunura kwavari hapana. Chokudya chedu tinochiwana nenhamo. Pamusana pehondo yebakatwa inobva kurenje'ku. Ganda redu ratumha kupisa sehovhoni pamusana pokupisa kwaita nzara. Vakadzi vari kubhinywa muZioni'mu, mhandara dzichibatwa chibharo mumaguta okwaJudha. Machinda ari kurembedzwa akasungirirwa maoko; vakuru-vakuru rukudzo havachapiwaba. Majaya vanofondokeswa naro basa pamakuyo, vakomana vachidhadharika nawo masvinga ehunhi. Harahwa matare dzakaasiya vechidiki vakasiyawo zvokuimba. Rufaro rwatibva mumwoyo; kudzana kwedu kwasanduka kukava kuchema. Ndaza yakudubuka mumusoro medu; hamhenoka zvedu iyesu nokutadzira Mwari kwedu ikoku. Pamusana pazvo tinorwadziwa mwoyo, pamusana paizvozvo maziso tavakuonera madzerere. Guta reZioni rangove guta, ndomava mumusha memakava. Asi imi Tenzi munotonga nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chinoramba chiripo kwezvizvarwa nezvizvarwa. Munotikanganwireiko nokusingaperi munotirasireiko kwenguva yakareba kudai? Tidzorerei kwamuri Tenzi kuti tidzokere pakare. Vandudzai mazuva edu ave sakare. Kana kuti mabva matiramwa zvachose here; uye hasha dzenyu dzakanyanyisa here? Zvakaitika kuti mugore rechimakumi matatu mumwedzi wechina pazuva rechishanu romwedzi iwoyo pandakanga ndiri pakati penhapwa pedyo nerwizi rweKebhari, denga rakazaruka ndikaona zviratidzo zvaMwari. Pazuva reshanu romwedzi iwoyo (muri mugore rechishanu rokutapwa kwamambo Jehoyakini), izwi raTenzi rakauya kumupristi Ezekieri, mwanakomana waBhuzi, munyika yavaKaradhea pedyo nerwizi rweKebhari, izvozvo simba roruoko rwaTenzi rakava paari ikoko. Ndakatarisa, onei hero dutu remhepo richibva kuchamhembe uye negore guru nomoto wainjenjema nechiedza chaipenya kwazvo kuritenderedza. Moto wairamba uchingovavaya, izvozvo mukati memoto makaita sendarira. Zvino mukati macho makabuda zvimwe zvinhu zvina zvakaita sezvisikwa zvipenyu. Chimiro chazvo chakanga chakadai seizvi, zvakanga zvakaita savanhu. Asi chimwe nechimwe chazvo chaiva nezviso zvina uye chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana. Makumbo azvo aiva akati twasu uye tsoka dzamakumbo azvo dzakanga dzakaita samazondo emhuru dzichipenya sendarira yakakwenenzverwa. Pasi pamapapiro azvo, kumativi mana azvo, zvaiva namaoko omunhu. Pahuna hwazvo, uso hwazvo namapapiro azvo zvakanga zvakamira zvakadai sezvizvi: mapapiro azvo akanga akagumana chimwe nechimwe chazvo chaingofamba chakananga pachakananga chichienda chisingatsauki. Uso hwazvo hwaitarisika sezvizvi: chimwe nechimwe pahuna hwazvo, chaiva nouso hwomunhu. Pahuna hwazvo ihwohu zvaiva nouso hweshumba nechokurudyi kwazvo, zviri zvina kudaro zvaiva nouso hwemombe kuruboshwe uye pahuna hwazvo kudaro zviine uso hwegondo. Ndizvo zvakanga zvakaita uso hwazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzirwa mudenga, chimwe, nechimwe, chezvisikwa izvozvo chaiva namapapiro maviri zvakagumana mapapiro izvozvo namamwe maviri zvakafukidza muviri wazvo. Zvino chimwe nechimwe chaifamba chakananga pachakananga zvichienda kwose kwose kwainge kuchienda mweya, zvaienda zvisingatsauki. Zvinhu izvozvo zvanga zvakaita samazimbe ari kubhebha nomoto, semazhenje omoto, kana kuti semwenje unovheya-vheya pakati pezvinhu zvipenyu zviya. Moto wacho wakanga uchipenya, mheni yaivaima mauri. Zvinhu zvipenyu zviya zvaimhanya-mhanyawo sokupenya kwemheni. Zvino ndakati ndatarisa zvisikwa zvipenyu zviya ndikaona chimwe chezvipenyu izvozvo paine vhiri rimwechete. Mamiriro akanga akaita mavhiri iwaya namagadzirirwo awo ndeaya: Kutarisika kwawo kwakanga kwakaita sokupenya kweibwe rinokosha rebheriri. Ari mana kudaro akanga akafanana. Magadzirirwo awo aiva akaita sevhiri mukati merimwe vhiri. Paainge ofamba, aifamba akananga chero kune rimwe divi ramativi mana awo, achienda zvisingatendeuki. Mavhiri mana iwaya aiva namarhimu nezvipokisi. Marhimu awo akanga akazara namaziso kutenderera. Zvisikwa zvipenyu zviya pazvaifamba mavhiri aifambawo ari pamativi pazvo. Paisumukawo zvinhu zvipenyu izvozvo mudenga zvichibva pasi mavhiri acho aisumukawo mudenga. Kwose zvako kwainge kuchienda mweya izvo zvaiendawo, mavhiri acho aibva angosumukawo pamwechete nazvo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu izvozvo wakanga uri mumavhiri. Hwaingova hwese, zvichiti kwazvaenda, iwo oendawo, zvikamira iwo omirawo, pazvaisumuka mudenga kubva pasi, iwo mavhiri aisumukawo nazvo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu izvozvo waiva mumavhiri acho. Pamusoro pezvisikwa zvipenyu izvozvo paiva nechimwe chakaita seziendanakuenda romudenga, chakati ngwe-e kuchena sekirisitaru yakati chinga chinga pamusoro pazvo. Izvozvo pasi pedenga racho mapapiro azvo akanga akatambanudzwa zvakatwasuka akatarisana uye chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro maviri akafukidza muviri wacho. Zvisikwa zvipenyu izvi zvaiti zvikafamba, ini ndonzwa kubhabhama kwamapapiro azvo soruzha rwemvura zhinji, sokudhiriridza kwaiye Aripagomo, murikitira zvawo wemhomho unenge zhwerendende regurusvusvu rehondo. Zvaiti zvikati mbikiti kumira, mapapiro zvoati pasi regedzerei. Paibva pabva izwi raibva muziendanakuenda romudenga pamusoro pazvo, izvo zvakati mbikiti kumira kudaro, mapapiro zvakati pasi regedzerei saizvozvo. Nechapamusorowo muziendanakuenda pakaonekwa chimwe chainge chigaro choumambo ibwe rinokosha resafaya rakaita sechigaro choushe pakanga pakagarwa nechimwe chinhu chine chimiro chinenge chomunhu. Kubvira mainge muchiuno chake zvichikwira ndakaona chinenge ndarira yainjenjemera somoto wakachitenderedza. Kubvawo mainge muchiuno macho zvichidzika ndakaona chainge moto. Uye kwakanga kwangoti ngwe-e kuchena kumutenderedza. Sezvakangoita muraraungu mumakore pamusi wemvura ndokuonekwa kwaita chiedza kutenderera. Ikoku ndokutarisika kwaiita kupenya kokuvapo kwaTenzi. Zvino ini pandakakuona ndakati pasi zvambarara ndikabva ndanzwa izwi romumwe aitaura. Iye akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu mira namakumbo ako nditaure newe.” Paakataura kwandiri, Mweya wakapinda mandiri akandisimudza ndikamira namakumbo angu ndikamunzwa achitaura kwandiri. Akati kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu ndinokutuma kuvanhu veIsiraeri, kurudzi rwemhandupandu dzavanhu vakandipandukira. Ivo namadzibaba avo vagara vari vanhu vokundipandukira kusvikira pari nhasi. Vanhu vakaoma musoro; ndambakuudzwa dzavanhu, ndavakukutuma kwavari undovataurira kuti, zvanzi naTenzi Mwari ‘Vangarege kuteerera pamusana pokuti vanhu ivava vanhu vakapanduka. Vangateerere kana kuti vachaziva kuti panga pane muporofita pakati pavo.’ Iwe mwnakomana womunhu usavatye kana kutya zvavanotaura, kunyange zvazvo kwauri vari rukato neminzwa sokunge ugere pamusoro pamarize usatye zvavanotaura kana kutyiswa nokutarisika kwavo nokuti imba yakapanduka. Uchandovataurira mazwi angu kunyange vakateerera kana kuti vakaramba kuteerera nokuti imba yakapanduka. Asi iwe mwanakomana womunhu teerera zvandinokutaurira, usapanduke semba iyi yakapanduka, shama muromo wako udye chandinokupa. Ndakati tarisei, onei ruoko rwakanga rwatambanudzwa kwandiri, wonei muruoko macho maiva nebhuku rokumononora rakanyorwa. Akaritambanudza pamberi pangu; raiva rakanyorwa seri neseri. Mariri makanga makanyorwa mazwi okuchema nokuungudza nokuyambira.” Akanditizve, “Mwanakomana womunhu idya zvauri kupiwa izvo. Idya bhuku rokumononora iri uende undotaura kumba yeIsiraeri.” Saizvozvo ndakashama muromo akandipa bhuku rokumononora kuti ndidye. Akatizve kwandiri, “Iwe munhu idya bhuku iri rokumononora randiri kukupa uzadze dumbu rako naro.” Ipapo ndakaridya, mukanwa mangu umu raitapira souchi. Akatiwo kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu chienda kumba yaIsiraeri utaure kwavari namazwi angu aya. Chiripo ndechokutika handisi kukutuma kune vanhu vanotaura chirudzi kana mumwe mutauro wakaoma, asi kuti kumba yaIsiraeri, kusiri kumarudzi mazhinji anotaura chirudzi, kana mumwe mutauro wakaoma una mazwi ausingagoni kunzwisisa. Kuri kuti chaizvoizvo ndakutuma kuvanhu vakaita saivavo vaikunzwa. Asi imba yokwaIsiraeri haikunzwi nokuti havadi kunditeerera nokuti imba yose yokwaIsiraeri yakaoma musoro, indambakuudzwa dzavanhu. Chinzwa ndinokupa uso hune chivindi chokutarisana navo ndichiita kuti uomeserane navo musoro. Ndaita kuti uve nomusoro wakaoma kuti papata chaizvo seibwe romusarasara. Rega kumbovatya kana kuzeza mutarisiro wavo nokuti imba yemhandupandu dzavanhu.” Uyezve akatiwo kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichakutaurira agamuchire mumwoyo mako, uanzwe nenzeve dzako, ugoenda kunhapwa kuvanhu vokwako undovati ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari kunyange vakanzwa kana zvavo vakaramba kunzwa.” Ipapo Mweya wakandisumudza, ndikabva ndanzwa mushure mangu kudhiriridza kukuru kwokundengendeka zvichinzi, “Mbiri yaMwari ngairumbidzwe munzvimbo yake.” Izvozvo kwakanga kuri kubhabhama kwemapapiro achirovana ezvisikwa zvipenyu zviya, uyewo nokuriridza kwamavhiri aya pamativi azvo kwaidhiriridza sokundengendeka kukuru. Mweya wakandisumudza mudenga saizvozvo akaenda neni ndikaenda mweya wangu uchishungurudzwa kwazvo neshungu. Izvozvo simba roruoko rwaTenzi rakandibata kwazvo. Ndakasvika kuTerabhibhi kunhapwa dzaiva dzigere parwizi rwaKebhari. Ndakagarapo pakati pavo kwamazuva manomwe ndakadumbirwa nazvo. Kuzoti kwapera mazuva manomwe, shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu ndakuita nharirire yemba yaIsiraeri. Paunongonzwa chete shoko randinoreva nomuromo wangu, unofanira kuti uvape yambiro yangu. Kana ndikati akaipa, uchafa, zvirokwazvo iwe ukarega kumuyambira kana kunyevera akaipa kuti akande pasi nzira yake yakaipa kuitirawo kuti azviponese upenyu, munhu akaipa iyeyo achafira muuipi hwake, asi mhosva yokudeuka kweropa rake ndinoipa iwe. Asi kana uchinge wayambira akaipa iyeyo, iye agorega zvake kutendeuka kuuipi hwake kana munzira yake yakaipa, achafira muuipi hwake ihwohwo, asi iwe unenge wanunura mweya wako. “Uyezve kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita zvakaipa, ini ndikamuisira chibingamupinyi achafa pamusana pokuti unenge usina kumupa yambiro achafira chitadzo chake ichocho, mabasa ake akarurama aya aakamboita haazomborangarirwa, asi mhosva yokudeuka kweropa rake ndichaipa iwe. Asi kana ukayambira munhu akarurama iyeyo kuti arege kupara chitadzo, iye akarega kuita chitadzo, kurarama achatorarama nokuti akateerera kuyambirwa. Iwe uchazviponesawo upenyu.” Ruoko rwaTenzi rwakanga ruri pamusoro pangu, akabva ati kwandiri, “Chisimuka uende kubani! Ndichataura newe ikoko.” Saizvozvowo ndakasimuka ndikaenda kubani, onei kupenya kwokuvapo kwaTenzi kumire pakadaro apo sokupenya kuya kwandakaona pedyo nerwizi rwaKebhari ndikabva ndati pasi zvambarara uso. Asi Mweya akapinda mandiri akandimisa namakumbo akataura neni achiti, “Chienda undozvipfigira mumba mako. Iwe mwanakomana womunhu uchasungwa netambo zvokutadza kubuda mukati mavanhu. Ndichaita kuti rurimi rwako runamatire mukanwa mako zvokuti uchava chimumumu ugotadza kuvadzora nokuti imba yavanhu vakapanduka. Asi kana ndataura kwauri ndichakuzarurira misuo; unofanira kuti zvanzi naTenzi, ‘Anenge achikunzwa ngaanzwe. Anenge asingade kunzwa ngaarege zvake nokuti imba yakapanduka.’ “Iwe mwanakomana womunhu tora chidhina uchiise mberi kwako ukwenge pachiri mufananidzo weguta reJerusaremu. Uisepo zvokurikomba nazvo zvehondo, uye rusvingo rwakavakwa rwakaritenderera rwokurikomba narwo unyorewopo chinenge musana wenzou chevhu chakatsamirana naro. Utarepo musasa wematendhe wakarikomba ugoriisirawo zvombo zvakaita sehondohwe zvokuridhugumurisa zvakadzikwa zvakaritenderera. Unozotorawo chirata chesimbi wochimisa chakaita sorusvingo rwesimbi ruri pakati pako neguta racho iroro. Iwe wobva wanyatsotarisana naro uriite segutawo ratova mukukombwa chaimo uite kuti kukombwa kwacho kubva kwanyatsotsviriridzawo chaizvo. Ichochi ichi chiratidzo chokuitira imba yaIsiraeri. “Pedzezvo worara nokuruboshwe kwako iniwo ndichaisa uipi hweIsiraeri pauri, mazuva ose aunenge wakarara naikoko unenge wakatotakura chirango chavo. Ndiri kukutemera chirango cheIsiraeri chamazuva mazana matatu namazuva makumi mapfumbamwe, zuva roga roga richimirira gorewo rokurangwa kwavo. “Kana wapedza mazuva iwaya, unofanira kuvata kechipiri nokurudyi kwako utakure chirango chevemba yokwaJudha. Ndinokutemera makumi mana amazuva, zuva richimiririra gore. “Unofanira kutarisa wakanangana nokukombwa kweJerusaremu wakarikungira chibhakera pachena ugoporifita uchiyambira guta iroro kuti: ‘Zvino chiteerera unzwe, ndichakusunga mbira dzakondo netambo zvokuti unotadza kupindukira kune rimwe divi kudzamara nguva yako yokukombwa yapera.’ “Tora koroni nebhari nebhinzi nenyemba namapfunde nekoroni yesipereti uzvisanganise mumudziyo mumwechete ubike chingwa nazvo. Mumazuva acho aunenge wakatseyama norutivi aya, mazana matatu namakumi mapfumbamwe ndochaunenge uchidya. Chokudya chauchadya iwe pazuva chinofanira kunge chichirema mazana maviri amagiramu ana magiramu makumi matatu. Izvozvo mvura yako yokunwa inenge ichitoitwa zvokuyerwa. Unofanira kunwa magirazi emvura maviri kamwechete pazuva. Unofanira kuchidya sechingwa chebhari uchibike vachiona pamoto wendove yavanhu.” Tenzi akatiwo, “Ndomadyiro achaita vaIsiraeri chingwa chavo chakan'ora pakati pamarudzi kwandichavadzingira.” Ini ndikati, “Aa-a nhai Tenzi Mwari! Zvamunoona handisati ndambozvin'oresa kubvira pauduku hwangu kusvikira pari zvino. Handisati ndambodya chakafa choga kana chakaita zvokubvamburwa-bvamburwa nezvikara kana zvako kuisa mukanwa mangu'mu nyama yakaipa.” Iye akabva anditi, “Chiona, ndochikupa ndove yemombe panze pendove yomunhu yomoto paunobikira chingwa chako.” Iye akanditizve, “Iwe mwanakomana womunhu, chiona, ndichashomekesa kuwanda kwechokudya muJerusaremu. Vachadya chokudya chavo chichiita zvokutopimirwa vachitya, uye mvura yavo vachinwa ichiita zvokutoyererwa vachidumbirwa nazvo, ndichaiita izvozvo nokuti chokudya chavo nemvura zvichava zvishomashoma. Vachatarisana vagodumbirwa navo vagoperezeka nechirango chavo ichocho. Tsama nhatu dzevhudzi raEzekieri. “Zvino iwe mwanakomana womunhu tora bakatwa rakapinza urishandise sechisvo chokuveurisa uveure musoro wako nendebvu dzako. Wozotora zviyereso zvokuyeresa wokamuranisa vhudzi iroro. Chimwe chezvikamu zvitatu zvevhudzi iroro unofanira kuchipisa mumoto pakati chaipo peguta. Kana mazuva okukombwa kwaro azopera, unotora chimwewo chikamu charo chiya wochidimura-dimura nebakatwa kutenderera guta iroro. Zvino chimwewo chikamu charo chechitatu unochimwaya kumhepo uye ndichavaburitsira bakatwa muhara rivaronde. Unofanira kutsamhura katsama kaduku pana irori woripfundira kumucheto wegemenzi rako. Uye pavhudzi irori unofanira kutora rimwe worikanda mumoto woripisa mumoto. Kubva ipapo moto uchauya uchitungidza imba yeIsiraeri yose.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Ndirorika guta reJerusaremu iri randadai kumisa pakati pamarudzi avanhu nenyika dzakaikomberedza. Asi rakapandukira zvirevo zvangu zvakaipa kupinda mamwe marudzi uye mirao yangu kutopfuura nyika dzakaikomberedza nokuramba zvirevo zvangu uye nokusatevedza mirao yangu kwavakaita. Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti iwe unotutumara kudarika marudzi akakukomberedza uchiregera kutevedza mirao yangu kana kuchengeta zvirevo zvangu asi wakachengeta zvirevo zvamarudzi akakukomberedza, ndokusakawo zvanzi naTenzi Mwari, chiona, iniwo ndava kukumukira ini iyeni uye ndichaita zvandakatema kuita pakati pako marudzi achiona. Uyewo pamusana pezvinosemesa zvako zvose ndichaita kwauri zvandisati ndamboita uye zvinhu zvakadaro handimbofa ndakazviitazve. Ndizvozvo, vabereki vachadya vana vavo mukati menyu navanawo vachidya vabereki vavo ndoita zvandakatema kuita pamuri; kuwana vanenge vangopunyuka ndichavamwararisa kumativi ose. “Naizvozvo, sezvandiripo kudai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, zvedi, pamusana pokuti wakan'oresa nzvimbo yangu inoera nezvinhu zvenyu zvisingadiwe nezvose zvinosemesa zvenyu; naizvozvowo ini ndichakuparadzai. Handimbokuitirai tsiye nyoro kana kukuitirai tsitsi. Chimwe chezvikamu zvenyu zvitatu zvavanhu chichafa nedenda kana kuparara nenzara pakati penyu, chimwe chacho chichaurayiwa nebakatwa munharaunda yenyu. Chikamu chechitatu ndichachimwararisa kumativi ose chakabatirwa bakatwa mumaoko. “Ndiwo maperero achaita hasha dzangu, pandichapedzera shungu dzangu pavari ndobva ndagutsikana. Ndipo pavachaziva kuti ini ndakataura ndiine shanje, kana ndapedzera shungu dzangu pavari. Uyezve ndichaita kuti usare wangova nyikawo zvayo nechinhu chinoshoreka pakati pemarudzi ari munharaunda yako nomumaziso avapfuuri nenzira vose zvavo. “Iwe uchava chinhu chinozvidzwa nechitukiso neyambiro chaiyo nechinhu chinokatyamadza kumarudzi omunharaunda yako pandichaita zvandakatema kuita pamuri ndakashatirwa ndakapaka uye nechirango chinorwadza kwazvo. Ini iyeni Tenzi ndini ndazvireva. Ipapo ndichavakanda miseve inouraya yeshangwa yenzara nemiseve yokuparadza yandichavatepfenurira kuti ndikuparadze ndichiita kuti pauri shangwa yenzara irambe yongotsviriridza ndikushayisei chokudya chokukuraramisai nacho. Ndichakutumirai shangwa yenzara nezvikara zvesango, zvichakurozvai vana, denda richakuvingai ropa richideuka pakati penyu ndichikuuyisirai bakatwa pamuri iyemi. Ini Tenzi ndini ndazvireva.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, chinangana namakomo eIsiraeri uporofite kwavari uchiti, ‘Imi makomo eIsiraeri, inzwai izwi raTenzi Mwari! Zvanzi naTenzi Mwari kumakomo nezvikomo namakoronga namapani chionai ndava kukuunzirai bakatwa iyeni ndichizoparadza nzvimbo dzenyu dzakatunhumara dzokuteurira. Atari dzenyu dzichasara dzangova atari zvadzo dzisina chinhu neatari dzenyu dzorusenzi dzichaputswa. Uye ndichakanda vokwenyu vanenge vaurayiwa pamberi pezvifananidzo zvenyu zvokunamata.’ “Ndichati kata-kata zvitunha zvavanhu veIsiraeri pamberi pezvifananidzo zvavo zvokunamata. Mapfupa enyu ndichaita kuti amwarariswe pamativi ose eatari dzenyu. Kwose kwose zvako kwamunogara, maguta enyu achasara angova magutawo zvawo asina chinhu nzvimbo dzenyu dzakatunhumara dzokuteurira dzaparadzwa zvokuti atari dzenyu dzichasara pasisina chinhu, dzaparadzwa. Zvifananidzo zvenyu zvokunamata zvichaputswa zvichiparadzwa; atari dzenyu dzorusenzi dzichipwanywa, mabasa enyu achibva apera kutsvairwa. Vanhu vanenge vaurayiwa pakati penyu vachati rakata. Ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi. “Asi vamwe venyu, ndichavarega vari vapenyu. Kana pakati pamarudzi ipapo, mukava navamwe vanopunyuka bakatwa napamunenge mamwarariswa kudzinyika, ipapo vamwe venyu vanenge vapunyuka vachandirangarira vari mukati memarudzi kwavanenge vakaendwa navo kuutapwa pandichaparadza mwoyo wavo woruchiva wakabva kwandiri ukapofomadza meso avo voita kamwoyomwoyo kokupindukira kuzvifananidzo zvavo zvokunamata. Saka zvichaita kuti vazvishore pamusana pouipi hwavakaita nezvinhu zvavo zvinondisemesa. Ndipo pavachazoziva kuti ini ndini Tenzi. Handina kutaura pasina kuti ndichavaitira zvakaipa izvi.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Rova-rovanisai maoko muchitamba-tambisa makumbo muchiti, ‘Maiwe-e kani inga zvatiwana, pamusana pezvinosemesa Mwari zvose zvemba yaIsiraeri, nokuti vachafa nebakatwa, neshangwa yenzara, nedenda.’ Vari kure vachafa nedenda, vari pedyo vachafa nebakatwa, vanenge vasara vachengetedzeka vachafa neshangwa yenzara. Ndiko kupedzera hasha dzangu pavari kwandichaita. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi panenge poti zvitunha zvavo pasi katakata mukati mezvifananidzo zvavo zvokunamata zvatenderedza atari dzavo pazvikomo zvose, napamusoro pemakomo ose, nepasi pemuti woga woga una mashizha manyoro napasi pomiti yose yemioku yakati gudegude napose pavanopira zvinonhuwira kuzvifananidzo zvavo zvose zvokunamata. Ndichasimudza simba reruoko rwangu kuvarwisa ndichiita kuti nyika isakare isare yangova nyika zvayo kwose kugere vanhu kubvira kurenje kusvika kuRibhura. Ndipo pavachaziva kuti ini ndini Tenzi.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari kunyika yeIsiraeri, hokuno kuguma. Kuguma kwagogodzera kumativi mana enyika. “Isiraeri zvino pako pakuperera, ndava kuzokuratidza kuti ndakakushatirirwa ndichakutonga maererano namaitiro ako, ndichikurangira zvinhu zvako zvose zvinosemesa. Handichakuitira tsiye nyoro kana kukuitira tsitsi asi ndichakurangira nzira dzako zvinosemesa zviri pakati pako. Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Nhamo dzichavirikana. Heyo nhamo youya! Kuparara kwauya, kwauya kuparara kwakumukirai! Hoko kwauya! Mugumo wako wasvika iwe mugari wenyika ino, nguva yasvika, zuva raswedera, zuva rebongozozo kwete romupururu wokufara mumakomo. Iye zvino ndava kukuvirukira nehasha ndipedzere hasha dzangu pauri ndichikutonga maererano namaitiro ako ndichikurangira zvinhu zvako zvose zvinosemesa. Handichakuitira tsiye nyoro kana kukuitira tsitsi asi ndichakurangira nzira dzako idzodzo nezvinosemesa zviri pakati pako. Ipapo ndipo pauchazoziva kuti ini ndini Tenzi anorova.” Hero zuva riya, hero rouya! Kuparara kwako kwasvika! Kushaya ruenzaniso kwapfumvudza, kuzvikudza kwatumbuka. Utsinye hwakura kutoitawo kamuitiro chaiko kouipi. Hakuna nomumwe wavo achasara kana zvinhu zvavo zvakawanda kunyange upfumi hwavo kana kuzovawo nembiri pakati pavo. Nguva iya yauya, zuva riya raswedera. Mutengi ngaarege hake kupembera kufara kunyange iye mutengesiwo kuchema nhamo nokuti hasha dzavirukira gungano ravo rose. Chiripo ndechokuti mutengesi haasi kuzodzokera kune zvaakatengesa zviya vachiri vapenyu nokuti hasha dzawira gungano ravo rose hadzisi kudzokera shure uye pamusana pouipi hwake, munhu haakwanise kuzviponesa upenyu hwake. Varidza bhosvo vakaita kuti vose vagadzirire. Asi hapana ari kusumuka kuenda kuhondo nokuti hasha dzangu dzavirukira gungano ravo rose. Kunze uku kune bakatwa, mukati mune denda neshangwa yenzara. Vari musango vari kupera nebakatwa, vari mukati meguta vari kupera kufa neshangwa yenzara nedenda. Kana vamwe vakapunyuka, vachava mumakomo senjiva dzomumakan'a, vose zvavo vachichema nhamo; munhu wese achichema uipi hwake. Vose varukutika maoko, vose zvino mabvi yava mvura zvayo kurukutika. Vava kupfeka masaga; kutya kwavabata. Vose uso, dzangova nyadzi dzoga, misoro yose, yangova miparavara. Sirivha yavo vavakutoirasa mumigwagwa, ndarama yavo yaita sechinhu chakan'ora. Sirivha yavo nendarama hazvigoni kuvanunura pazuva rehasha dzaTenzi. Hazvigoni kupedza nzara yavo kana kuzadza matumbu avo nokuti ndozvakanga zviri chibingamupinyi nehonzeri youipi hwavo. Zvishongo zvayo zvinoyevedza, vaizvishandisira mbiri isina maturo vachigadzira zvifananidzo zvavo zvokunamata zvsingadiwi naMwari nezvinhu zvavo zvinosemesa. Naizvozvo iniwo ndaita kuti zvinhu zvavo izvozvo zvive zvinhu zvakan'ora kwavari. “Ndichaisa zvinhu izvozvo mumaoko mevechirudzi senyama yamagora uye kunavaipi vapanyika sechinhu chokupamba vagochin'oresa. Ndichavafuratira kuitira kuti vanhu vagon'oresa nzvimbo yangu yakakosha. Makororo achapindamo vagoin'oresa vagoita nyonganyonga. “Pamusana pokuti nyika yazara nemhosva dzokudeura ropa, gutawo rizere noutsinye. Ndichaunza rudzi rwakaipisisa kuzovatorera dzimba dzavo. Zvokuzvikudza kwavo ndichazvipedza, nzvimbo dzavo dzinoera dzichin'oreswa. Kudandaura nenhamo pakuchauya vachatsvaga rugare asi pachange pasina. Nhamo dzichaita mututemutute, marehwarehwa asingaperi. Vachatsvagira chiporofita kumuporofita pasina; kumupristi zvomutemo zvinenge zvaparara, kuvakuru vakuru mazano kunenge kusisina. Mambo achachema nhamo, jinda rozanga kuora mwoyo uye vanhu munyika varukutiswa maoko nokutya. Ndichavaitira zvinofambirana nokuita kwavo uye ndichavatonga nekatongero kavo. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ini ndini Tenzi.” Mugore rechitanhatu mumwedzi wechitanhatu pazuva reshanu romwedzi iwoyo pandakanga ndakagara pasi mumba mangu, vakuru vakuru vokwaJudha vagere pamberi pangu, simba roruoko rwaTenzi Mwari rakaturukira pandiri. Ipapo ndakatarisa ndiye onei chimwe chine chimiro chinenge chomunhu. Kubvira mainge muchiuno make zvichienda pasi wakanga uri moto uye kubvira muchiuno zvichikwira kumusoro kwaitarisika sokupenya kuchingarikira sendarira. Iye akatambanudza chainge ruoko akandibata zhumu romusoro wangu. Izvozvo Mweya wakandisumudza mudenga pakati pedenga nenyika akandiendesa muzviratidzo zvaMwari kuJerusaremu pokupinda napo peSuo Guru renhandare yomukati yakatarisa kuchamhembe pakanga paine paigara chimufananidzo chokunamata cheshanje chaikonzera Mwari shanje. Ndakaona mbiri yokuvapo kwaMwari weIsiraeri iripo sezvandakanga ndamboona muchiratidzo chomubani. Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu simudza musoro wakatarisa kuchamhembe.” Saizvozvo ndakasimudza musoro ndakatarisa kuchamhembe, onei kuchamhembe kweSuo Guru rokuAtari pamusuo pakanga paine chimufananidzo chiya chokunamata cheshanje. Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, uri kuona here zvavari kuita izvi zvinondisemesa kwazvo zviri kuitwa muno nemba yaIsiraeri? Vari kuzviitira here kuti vanditandanisire kure neNzvimbo yangu Inoera? Uchatoona zvinosemesa kwazvo kupinda izvozvi.” Akaenda neni kumusuo wenhandare pandakatarisa ndakaona kuti paive neburi murusvingo. Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, tiginura murusvingo imomu.” Ndakati tigunurei murusvingo imomo wanei pane musuo, ndokunditizve, “Pinda uone zvakaipisisa kwazvo zvinosemesa zviri kuitwa muno.” Saizvozvo ndakapinda ndikaona imomo makanzi charavanda mumadziro kuatenderedza, zvinhu zvinokambaira zvemhando nemhando dzose nemhuka dzinosemesa nezvifananidzo zvose zvokunamata zvemba yaIsiraeri. Pamberi pazvo pakanga pamire makumi manomwe avarume vari vakuru vakuru vemba yaIsiraeri vaina Jaazaniya mwanakomana wokwaShafani amire pakati pavo. Mumwe nomumwe wavo aiva nebisiro rorusenzi muruoko. Izvozvo gore routsi hworusenzi hwaitogoka mudenga. Iye akabva anditi, “Iwe mwanakomana womunhu waona here zviri kuitwa murima navakuru vakuru vemba yaIsiraeri, munhu oga oga ari mumba make memifananidzo? Chiripo ndechokuti vari kutozviti, ‘Tenzi haatione, Tenzi akafuratira nyika ino.’ ” Akatiwo kwandiri, “Uchatoonawo zvimwe zvinosemesa zvakakurisa zvavanoita.” Akandiunza pokupinda napo peSuo Guru rokuchamhembe remba yaTenzi ndikaona vakadzi vakati mbwe-e kugara vachihwihwidza kuchema Tamuzi. Akati kwandiri, “Wazviona here izvi nhai iwe mwanakomana womunhu? Uchaona zvimwe zvinosemesesa zvakakura kupinda izvi.” Akapinda neni munhandare yomukatikati memba yaTenzi, onei pamusuo weTemberi yaTenzi pakati pekamba kepamusuo neatari paine varume vaikarosvika makumi maviri navashanu vakapira gotsi Temberi yaTenzi vakatarisa kumabvazuva vachipfugamira zuva kumabvazuva. Iye akabva anditi, “Wazviona here izvi nhai mwanakomana womunhu? Inyaya diki here iyi yokuti imba yokwaJudha kuita zvinosemesa zvavari kuita muno izvi kutozadza zvavo nyika noutsinye uye kundishatirisa? Chitarisa uone vanoisa bazi kumhuno dzavo. Naizvozvo zvandava kuita ndavakuita ndakashatirwa ndisingaite tsiye nyoro kana kunzwa tsitsi kunyange vakabongomora kuchema handisi kuzovateerera.” Mwari akazodaidza nezwi guru ini ndichinzwa nenzeve dzangu achiti, “Swederai kuno imi vanhu veguta vokuuraya vanhu, munhu nomunhu akapakata muruoko chombo chake chokuparadzisa.” Ndipo pakabva pati tutururu kusvika varume vatanhatu vachibva nokuSuo Guru rokumusoro rakatarisa kuchamhembe, mumwe nomumwe wavo akapakata muruoko chombo chake chokuurayisa. Vaiva nomumwe murume akapfeka rineni kaguchu keingi padivi pake. Vakapinda vakasvikomira munyasi meatari yendarira iya. Ipapo kupenya kwokuvapo kwaTenzi weIsiraeri kwakanga kwabva pamakerubhu pakwaigara kwaenda kumusuo wemba yacho. Iye akadaidzira kumurume akanga akapfeka rineni uya aiva nekaguchu keingi padivi pake. Ipapo Tenzi akati kwaari, “Enda nomuguta, nomuJerusaremu uise rupao pahuma dzavanhu vanodemba vachidunura pamusana pezvinhu zvose zvinosemesa zviri, kuitwa mariri.” Kuna vamwe akataura ndichinzwa, achiti, “Endai nomuguta muchimutevera muchiuraya, musaite tsiye nyoro kana kunzwira tsitsi. Urayayi varume vakuru, majaya nemhandara, navana vaduku namadzimai asi ane rupao regai kana kumubata. Tangirai paNzvimbo yangu Inoera.” Saizvozvo vakatanga navarume vakuru vaive mberi kweTemberi. Ndokubva avati, “N'oresai imba iyi muzadze nhandare dzacho navanhu vanenge vaurayiwa. Chiendai!” Saizvozvo vakaenda kundouraya vanhu muguta. Vachingunorakatisa kuuraya vanhu kudaro ini ndakasara ndangova ndoga ndokuti nouso kwidiba ndichichema ndichiti, “Aa-a nhai Tenzi Mwari asi mava kutoparadza zvose zvakasara zveIsiraeri pamusana pokuvirukira kwenyu Jerusaremu nehasha?” Iye ndokunditi, “Mhosva yemba yokwaIsiraeri neyokwaJudha yakurisisa. Nyika yazara ropa; guta rizere namaitiro asina ruenzaniso nokuti vanoti Tenzi akafuratira nyika iyi uye Tenzi haaoni. Zvino ini handichavaitira tsiye nyoro kana kunzwa tsitsi. Asi ndichaita kuti kuita kwavo ikoko kuvapfukire.” Hezvo munhu uya akanga akapfeka rineni aine kaguchu keingi parutivi akadzoka neshoko achiti, “Ndaita sezvamandiudza.” Ndakazotarisa ndikaona katenga kaiva nechepamusoro pamakerubhu. Nechepamusoro pawo pakaonekwa chakaita sebwe rakakosha resafaya chakaita sechigaro choumambo. Akabva ati kumunhu akanga akapfeka rineni uya, “Enda pakati pamavhiri ari kutendereka pasi pemakerubhu uzadze zvanza zvako namazimbe ari kunjenjema moto ari pakati pamakerubhu uamwaye pamusoro peguta.” Akapinda ndakatarisa. Izvozvo makerubhu aiva amire kumaodzanyemba kwemba iyoyo pakapindamo munhu uya; gore rakazadza nhandare iya yomukatikati. Ipapo kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakasumuka mudenga kukabva pamakerubhu kukaenda kumusuo kwemba iyoyi, imba iyi yakazara gore uye nhandare ikazara nokupenya kwokuvapo kwaTenzi. Kubhabhama kwamapapiro amakerubhu kwainzwika kusvikira kunhandare yokunze zvichiita sezwi raiye Aripagomo paanenge otaura. Paakaudza munhu uya akanga akapfeka rineni kuti, tora moto pakati pamavhiri arikutenderera pakati pamakerubhu, akaenda akamira munyasi memavhiri. Pakati pemakerubhu, rimwe racho rakatambanudzira ruoko rwaro kumoto waiva pakati pemakerubhu rikatora mumwe moto rouisa mumaoko momurume uya akanga akapfeka rineni. Iye akautora akabuda. Makerubhu aive nechimwe chainge ruoko rwomunhu pasi pemapapiro awo. Zvino ndakatarisa onei paiva namavhiri mana pedyo namakerubhu iwayo, vhiri rimwechete riri parutivi pekerubhu kutarisika kwamavhiri iwayo kwakanga kwakaita sokupenya kweibwe rinokosha rebheriri. Mamiriro aakanga akaita ndeaya aya, ari mana kudaro, akanga akafanana aivawo akaita sevhiri mukati merimwe vhiri. Paainge ofamba, aifamba akananga chero kune rimwe divi ramativi mana awo achienda asingatendeuki. Asi aiti kwainge kwangonangwa nevhiri remberi mamwe ose aibva atevera achienda asingatendeuki. Muviri wawo wose nemisana yazvo namaoko azvo namapapiro awo namavhiri azvo zvakanga zvakazara namaziso kutenderera mavhiri iwayo aivawo nawo pahuna hwawo. Zvino mavhiri iwayo ndakanzwa achidaidzwa kunzi kuvhiririka. Kerubhu rimwe nerimwe rakanga riine zviso zvina, uso hwokutanga huri uso hwekerubhu, hwechipiri hwaiva uso hwomunhu, hwetatu huri uso hweshumba, hwechina hwacho huri uso hwegondo. Ipapa makerubhu akakwira mudenga, iwaya akanga ari iwo makerubhu aya andakaona kurwizi rweKebhari. Zvino makerubhu paaifamba, mavhiri aifamba ari pamativi awo. Painge makerubhu asumudza mapapiro awo kuti akwire mudenga achibva pasi, mavhiri haaimbobva parutivi. Hwaingova hwese, achiti akati mbikiti akamira, mavhiri amirawo. Paaikwira mudenga, mavhiri aibva akwirawo mudenga nawo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu zviya wakanga uri maari. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwazobva kumusuo kwemba kukandomira pamusoro pamakerubhu. Makerubhu ndokubva asumudza mapapiro awo akakwira mudenga kubva pasi ndichiona achienda kudaro aine mavhiri parutivi pawo akasvikomira pamusuo weSuo Guru rokumabvazuva remba yaTenzi kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kwaiva pamusoro pazvo. Ndicho chisikwa chipenyu chiya chandakamboona ichochi ichi nechepasi paMwari weIsiraeri pedyo nerwizi rwaKebhari nezvo ndakabva ndaziva kuti makerubhu aya. Kerubhu rimwe nerimwe raiva nouso huna uye rimwe nerimwe riine mapapiro mana. Pasi pemapapiro awo paiva nezvainge maoko omunhu. Zvino kufanana kwouso hwawo, hwakanga hwakangoita sehwandakaona chaihwo pedyo norwizi rwaKebhari. Zvaifamba zvakananga pazvakananga chete. Mweya wakandisimudza mudenga, wakandiunza kuSuo Guru rokumabvazuva kwemba yaTenzi rakatarisa kumabvazuva. Ipapo ndakaona pamusuo peSuo Guru pacho paine varume makumi maviri navashanu. Ndakaonawo pakati pavo paina Jaazaniya mwanakomana waAzuru naPeratiya mwanakomana waBhenaya, machinda evanhu. Iye akabva anditi, “Iwe mwanakomana womunhu, varume ivava ndivo vakaruka mazano akaipa vachisoka guta rino mano akaipa vachifurira vanhu kuti, ‘Nguva yokuvaka dzimba haisati yasvika. Iro guta rino ndiro bhodho, isu ndisu nyama yacho.’ Saka porofita kwavari, Mwanakomana Womunhu porofita.” Mweya waTenzi wakauya pandiri akati kwandiri iti zvanzi naTenzi, “Imi vemba yaIsiraeri, heya ndozvamuri kufunga izvi. Chiripo ndechokuti zvinouya mumusoro menyu ini ndinozviziva. Vamakauraya vakawanda muguta rino mukazadza migwagwa yaro nezvitunha. Ndokusaka zvanzi naTenzi Mwari, ‘Vamakauraya zvamakaradzika mariri ndonyama, guta irori ndiro bhodho racho asi imi muchabviswa mukati maro.’ Munotya bakatwaka, ndichakuunzirai bakatwa ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Ndichakuburitsai mukati maro ndichikuisai mumaoko mevechirudzi ndichiita zvandakatema kuita kwamuri. Muchafa rufu rwebakatwa; ndichakutongerai kumuganhu weIsiraeri. Ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi. Guta rino harisi kuzova bhodho renyu kana imiwo kuva nyama yacho mukati maro. Ndichakutongerai kumuganhu weIsiraeri. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi nokuti hamuna kutevera mirao yangu kana kuita zvirevo zvangu asi makaita muchitevedza zvirevo zvamarudzi vakakutenderedzai.” Zvakaitika kuti pandaiporofita, Peratiya mwanakomana waBhenaya akafa. Ndakawira pasi nouso ndikaridza mhere ndochema ndichiti, “Aa! Nhai Tenzi mopedzisa here vaIsiraeri vakasara.” Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako chaidzo dzakatapwa pamwechete newe, ivo vanhu vose veIsiraeri ndivo vari kunzi navagari veJerusaremu, ‘Vaye vakaenda kure naTenzi saizvozvo nyika ino yakapiwa kwatiri kuti ive yedu.’ Naizvozvo iti zvanzi naTenzi Mwari, ‘Kunyange zvazvo ndakavabvisa ndikavaendesa kure mukati memarudzi, uye kunyange ndakavaparadzira mudzinyika, ndanga ndiri nzvimbo inoera kwavari kwechinguvana munyika dzavakaenda.’ Naizvozvo iti, zvanzi naTenzi Mwari ndichakukokorodzai mumarudzi avanhu ndigokuunganidzai kubva munyika dzamakaparadzirwa ndizokupai nyika yeIsiraeri. Pavanenge vauya vachabvisa mairi zvose zvakaipa nezvinosemesa. Ndichavapa mwoyo mumwechete ndigoisa Mweya mutsva mavari. Ndichabvisa munyama yavo mwoyo wedombo ndichivapa mwoyo wenyama, kuitira kuti vatevere mirao yangu vachichengeta zvirevo zvangu nokuzviteerera. Ivo vachava vanhu vangu ini ndichava Mwari wavo. Asi vane mwoyo wokuda zvakaipa nezvinhu zvavo zvinosemesa ndichaita kuti zviito zvavo zvivapfukire ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Zvino makerubhu akasimudza mapapiro awo namavhiri ari pamativi awo. Kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kwakanga kuri pamusoro pavo. Kupenya kwekuvapo kwaMwari kwakabva pakati peguta kukandomira pagomo riri kumabvazuva eguta. Mweya akandisimudza muchioneso akandiendesa kuvatapwa kuKaridhea naMweya waMwari. Ndipo pakabva papera chiratidzo chandakanga ndaoneswa. Ndakataurira vatapwa zvinhu zvose zvandakanga ndaratidzwa naTenzi. Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu unogara pakati pemba yavanhu vakapanduka vane meso okuonesa asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi. Nokuti ivo imba yakapanduka. Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu zvigadzirire mutoro wenhapwa uende kuutapwa masikati machena vachiona. Unofanira kuenda senhapwa uchibva panzvimbo pako uchienda kune imwe nzvimbo ivo vachiona. Pamwe vanganzwisise kunyange vari imba yakapanduka. Unofanira kuburitsa midziyo yako semidziyo yenhapwa masikati machena ivo vachiona. Iwe unofanira kuzoenda kumanheru ivo vachiona sezvinoitwa navanhu vanenge vachienda kuutapwa. Unofanira kuzotiginura murusvingo ubude naipapo vakatarisa. Uchaisa mutoro wako pamafudzi vachiona wobuda wakatakura murima ufukidze uso hwako kuitira kuti urege kuona nyika nokuti ndakakuita chiratidzo kumba yaIsiraeri.” Saizvozvowo ndakaita sezvandakanga ndanzi ndiite ndikabuda nemidziyo yangu masikati machena semidziyo yenhapwa. Kuzoti mava mumanheru ndakatiginura namaoko angu ndikaboora rusvingo ndikabuda kunze murima ndakatakura nhumbi dzangu pamafudzi ivo vachiona. Mangwanani acho shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Nhai mwanakomana womunhu, handiti here iyo imba yaIsiraeri imba yevapanduki yakakubvunzaka kuti, chii chauri kuita? Wochivaudza kuti, zvanzi naTenzi Mwari, ichochi ichi chiratidzo chinonangana nejinda reJerusaremu nemba yose yaIsiraeri iri mukati mavo. Iti ndiri chiratidzo kwamuri. Sezvandangoita izvi ndozvavachaitwa ivo. Vachaenda senhapwa kuutapwa. Nairowo jinda riri pakati pavo richatakura midziyo yaro pamapfudzi murima roenda rigotiginura murusvingo rigobuda naipapo. Achafukidza uso kuitira kuti asve arega kuona nyika ino nameso ake. Ndichamukomba nomumbure wangu agobatwa neriva rangu ndigomuendesa kuBhabhironi kunyika yevaKaradhea, asi haasi kuzoiona, achafira ikoko. Uye ndichamwararisa kumativi mana emhepo vose zvavo vanogara vakamukomberedza namakurukota ake nezvikwata zvake zvehondo zvose. Ndichavati vateveranwe navo nebakatwa. “Vachaziva zvavo kuti ini ndini Tenzi pandinenge ndavamwararisa mukati memarudzi vachiti uyu kwake uyu kwake nomudzinyika. Asi ndichaita kuti katsama kavo kapunyuke kubakatwa nokushangwa yenzara nokudenda kuri kuitira kuti vareurure zvinhu zvavo zvose zvinosemesa mukati memarudzi kwavachaenda, vazivewo kuti ini ndini Tenzi.” Uyezve izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu idya chingwa chako uchidedera unwewo mvura uchigwagwadza nokutya. Utaure nezvevanhu venyika iyoyi kuti zvanzi naTenzi Mwari zvakanangana navagari veJerusaremu vari munyika yeIsiraeri vachadya chingwa chavo mukutya, mvura yavo vachainwa vakadumbirwa nokuti nyika yavo icharozvwa zvose zvainazvo ichiparirwa noutsinye hwavanhu vose vagere mairi. Ipapo maguta agere vanhu achasara angova maguta asisina chinhu, nyikawo ichasara yangova nyika isina chinhu. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi.” Zvino shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Nhai iwe mwanakomana womunhu, itsumoi yamava kutaura nezvenyika yeIsiraeri yokuti, ‘Mazuva ari kuwanda aya, chiratidzo chose chose zvacho hapana chatinobura machiri?’ Saka naizvozvo chivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari tsumo iyoyi iyi ndichaimisa vagorega kuzomboishandisazve setsumo mukati meIsiraeri. Asi uvaudze kuti mazuva acho otosvika zvinorehwa nezviratidzo izvozvo zvose zvotoitika. Ndinodaro nokuti hapazova nechioneso chenhema kana zvokushopera zvinongobata vanhu kumeso mukati memba yaIsiraeri. Asi ini Tenzi ndichataura zvandinotaura zvichiitika, hazvichanonoka. Ndichataura chinhu chichiitika munguva yenyu iyoyo, imi imba yavapanduki.” Ndichati ndikataura chinhu chinobva chaiitika, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Shoko raTenzi rakauyazve kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu chinzwa, vemba yaIsiraeri vari kuti zviratidzo zvaanoona zvichatora mazuva chaizvo, zvamaporofita ndezvemazuva achiri kure kure. Naizvozvo chivataurira kuti, zvanzi naTenzi Mwari hapana chandichataura chichambononoka. Chandinenge ndataura chichabva chaitika,” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu chiporofita uchiyambira vaporofita veIsiraeri vari kuporofita. Uti kune vari kuporofita zvomusoro wavo, chinzwai izwi raTenzi.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Zvichakuwanai imi mapenzi evaporofita vanotevera zvomusoro wavo vasina chavaona. Vaporofita vako iwe Isiraeri vakaita samakava mukati mematongo. Hamuna imi kukwira kunzvimbo dzakakoromoka kana kuvakirira norusvingo imba yaIsiraeri kuitira kuti igonewo kurwisa muhondo pazuva raTenzi. Vanotaura zvemanyepo vachishopera zvenhema vachiti zvanzi naTenzi iye Tenzi asina kuvatuma. Izvozvo vanenge vachitarisira kuti Mwari achazadzisa zvavanenge vataura. Munoonaka imi chiratidzo chemanyepo muchishopera kutaura zvenhando pose pamunoti zvanzi naTenzi ini ndisina hangu chandataura?” Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti imi munotaura zvenhema, muchiona zvinhu zvenhando, naizvozvo chionai ini ndavakuita zvinorwisana nemi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Ini noruoko rwangu ndichaonana navaporofita ivavo vanoona zviratidzo zvamanyepo vachishopera zvenhando. Havasi kuzombofa vava mudare ravanhu vangu kana kunyorwa mazita mubhuku remba yaIsiraeri kunyange kutsika munyika yeIsiraeri. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi Mwari. “Honguka nokuti vakatungamirira vanhu vangu kusiri iko vachiti rugare irwo rugare rwacho pasina, uyewo nokuti vanhu pavakavaka rusvingo, vaporofita ivava ava vaibvawo varudzurura nesuko. Taurirai vari kurudzurura nesuko kuti ruchakoromoka. Kuchava namafashamo emvura yokunaya uye chimvuramahwe chikuru chichanaya; dutu remhepo richivhuvhuta. Zvino pachaputsika rusvingo irworwo, hamuzonzi here iko kudzurura kwenyu kuripi?” Ndokusaka zvanzi naTenzi Mwari, “Ndichavhuvhutisa dutu remhepo ndakashatirwa, pachaita mafashamo emvura ndashatirwa uye chimvuramahwe chikuru chokuparadza pamusana pehasha dzangu. Ndichaparadza rusvingo irworwo rwamakadzurura nesuko runyatsoti pasi ngondongondo zvokuti ugaro hwarwo huchanyatsoti pachena charavanda. Kana rwawa muchaparara mukati marwo. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi. “Ndomapedzero andichaita ushungushungu hwangu parusvingo irworwu napavanhu vacho vanenge varudzurura nesuko. Ndipo pandichakutaurirai kuti hakuchisina rusvingo rwuya, kana vanyakurudzurura vaya, vaporofita veIsiraeri vakaporofita nezveJerusaremu vachirionera zviratidzo zvorugare ipo rugare pasina.” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari. “Zvino iwe mwanakomana womunhu, chinangana navakadzi vavanhu vokwako vanoporofita zvomusoro wavo. Nangana navo uporofite uchiti zvanzi naTenzi Mwari, zvichakuwanai imi vakadzi munosonera mazango pamaoko ose avanhu muchisona madhuku anoenderana nemisoro yamazera ose avanhu kuri kuvhima mweya yavanhu. Munoda kuva nesimba pamusoro poupenyu norufu rwavanhu vangu kuti zvikupundutsei nhai! Makandishora pakati pevanhu muchiitira kuti muwane tsama dzebhari nezvimedu zvechingwa muchiuraya vanhu vasina kukodzera kufa asi muchirega vanhu vakakodzera kufa vari vapenyu nenhema dzenyu dzamunonyepera vanhu vangu vanoteerera nhema.” Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, “Ndakanangana zvino namazango enyu amunosevenzesa kuva nesimba pamusoro poupenyu norufu rwavanhu seshiri. Ndabvarura mazango iwayo pamusoro poupenyu norufu mumaoko menyu ndiite kuti mweya yavanhu vamuine simba ravo vabhururuke vaende zvavo seshiri. Madhuku enyu iwayo ndichaabvarura ndichiabvisa ndigonunura vanhu vangu mumaoko menyu varege kuva senyama yamagora mumaoko menyu. Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi. “Pamusana pokuti makaodza mwoyo mururami namanyepo kunyange zvazvo ini ndakanga ndisina kumuodza mwoyo mukakurudzira akaipa kuti arege kutendeuka achisiya gwara rake rakaipa kuti azviponesewo upenyu; naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvenhema kana kuzomboshoperazve. Ndichanunura vanhu vangu mumaoko menyu. Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi.” Kwakazouya vamwe vavakuru vakuru veIsiraeri kwandiri vakasvikogara mberi kwangu. Shoko raTenzi rikabva rauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu varume ava vakatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata vakazviisira chibingamupinyi chouipi hwavo mberi kwavo. Ndipo pandingazorega here vachidai kuuya kuneni kuzonzwa kuti ndinoti kudii? Naizvozvo chivataurira uchivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari, ani zvake wemba yaIsiraeri anotorwa mwoyo nezvifananidzo zvokunamata zvake achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita, ini Tenzi ndini ndichamupa mhinduro iyeni zvichienderanawo nokuwanda kwezvifananidzo zvake zvokunamata. Chandichadariro ndechokuti ndibate mwoyo yevemba yaIsiraeri vose vakasiyana neni pamusana pezvifananidzo zvavo zvokunamata. “Naizvozvo chiti kumba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari pindukai mufuratire zvifananidzo zvenyu zvokunamata mufuratire zvinhu zvenyu zvose zvinosemesa izvi. Chiripo ndechokuti ani naani zvake wemba yaIsiraeri kana mumwe wevauyi vapfuuri zvavo muIsiraeri, anenge azvitsaura kwandiri achitorwa mwoyo nezvifananidzo zvake zvokunamata achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita kuzonzwa iye kuti ini ndinoti kudii, ini Tenzi ndini iyeni pachangu ndichamupa mhinduro. Ndichanyatsoonana naye ndimuite muenzaniso uye setsumo ndimutsakatise pakati pevanhu vangu mugozoziva kuti ini ndini Tenzi. “Kana muporofita akanyengedzeka akataura shoko ini Tenzi ndini ndinenge ndarasisa muporofita iyeyo. Ipapo ndichazomutambanudzira ruoko rwangu ndigomuparadza pakati pavanhu vangu veIsiraeri. Izvozvo shamhu yavo yokuvaranga ichava pavari ivo, vacharangwa zvimwechetezvo, muporofita iyeyo nanyakutsvaka chiporofita wacho kuitira kuti imba yaIsiraeri irege kuzosiyanazve neni kana kuzozvin'oresazve nezvikanganiso zvavo zvose, asi kuti vavewo vanhu vangu iniwo ndichiva Mwari wavo. Ndizvo zviri kutarura Tenzi Mwari.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu, kana nyika ikanditadzira nokuita kwayo kusina kutendeka ini ndikaisumudzira roruoko rwangu ndikaishayisa zvokudya ndaitumira shangwa yenzara ndichitsakatisa munhu nemhuka mairi, kunyange zvazvo varume vatatu ava vanoti Nowa naDhanieri naJobhu vaivamo, chavaikwanisa chete kungozvinunura upenyu noururami hwavo ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Kanawo ndikaita kuti zvikara zvipinde nomunyika zvikaiparadza ikasara yangoitwa nyika zvayo isina chinhu zvokutoshaya kana nomumwe unodimura nomo zvichikonzerwa nezvikara izvozvo, kunyange zvazvo ivava varume vatatu vaivamo, hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari havaikwanisa kununura vana vavo vakomana kana vasikana. Ivo bedzi ndivo vaitonunurwa asi nyika ichisara yangova nyikawo zvayo isina chinhu. “Kana kuti ini ndikaunzira nyika iyoyo nhamo yebakatwa, ndigoti bakatwa ngaripinde nomunyika iyoyo ndikaparadza mairi munhu nemhuka, kunyange zvazvo varume vatatu ava vaivamo, hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari havaimbogona kununura vana vavo vakomana kana vasikana, asi ivo voga ndovaitonunurwa. “Kunyangewo ndikatumira denda munyika imomo ndopedzera pairi hasha dzangu neropa ndichiparadza mairi munhu nemhuka, kunyangova dai Nowa naDhanieri naJobhu vaiva mairi hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutarura Tenzi Mwari vangadai vasingagone kununura mwana wavo mukomana kana musikana. Asi kuti chavaikwanisa chete kungozvinunura upenyu hwavo ivo nokururama kwavo.” Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Ko kutozoti pandichatumira Jerusaremu shamhu dzangu ina dzinorwadza dzinoti bakatwa neshangwa yenzara nezvikara zvinorura nedenda kuti nditsakatise mairi munhu nemhuka, kunyange zvazvo kukange kwasara mairi vanyakupunyuka rufu vokutungamirira vanakomana navanasikana pavanosvika kwauri uchiona nzira dzavo nokuita kwavo zvichakunyaradza mwoyo panhamo yose yandakaunzira Jerusaremu pamusana pezvose zvandakaiuyisira? Vachakunyaradza mwoyo pauchaona nzira dzavo nokuita kwavo ndipo pauchaziva kuti hapana chandakanga ndaita pasina chikonzero pazvinhu zvose zvandakaita mariri” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Nhai mwanakomana womunhu ko iwo muti womugirepisi unokundawo pai chaizvo mimwe miti yose yesango? Pauri pangatorwe bango here rokutoitisa chimwe chinhu? Vanhu vangatore here pauri kamhanda kokuturikawo kana chinhu zvacho? Ko ukaiswa mumoto sehuni moto ukapisa kumhuno nokugaro kwawo, pakati pawo pakava tsito unenge uchine basa rei? Usati watsva, hapana chawaigona kuita nawo, ko kutozoti wapiswa nomoto waita tsito zvawo chii chaungazomboshandiswa kuita?” Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari: “Sehuni dzomuti womugirepisi pakati pemiti yesango dzandakaisa muchoto ndizvo zvandichaita vagari veJerusaremu. Ndichaonana navo. Kunyange vakapunyuka moto, moto uchatovapisa chete, kana ndakatarisana navo kudaro, ndipo pamuchandiziva kuti ndini Tenzi. Ndichaita kuti nyika iyoyi ive renje zvaro. Nokuti kuita kwavo hakuna kutendeka.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu zivisa Jerusaremu unyangadzi hwaro hwakan'ora. Uti zvanzi naTenzi Mwari kuJerusaremu, kunyika yeKenani ndiko kwawakabva, ndiko kwawakaberekerwa. Baba vako vaiva muAmori, amai vako vaiva muHiti. Maberekerwo ako ndiwaya aya, pamusi wawaberekwa rukuvhute rwako haruna kuchekwa hauna kushambidzwa mumvura kuti uchene. Hauna kana kukwizwa munyu kana kuputirwa namachira. Hapana akambokuitira tsiye nyoro kuti akuitire kana chimwe chinhu zvacho chaizvozvi pamusana petsitsi kwauri. Asi wakatoraswa pachenachena musango nokuti waisemwa pamusi wawaberekwa. “Pandakapfuura nepawaiva ndakakuona uchitakanyika muropa rako. Uri muropa rako kudaro, ndakati rarama ukure sechinhu chinomera musango. Wakakura ukareba ukasvika pakutova mhandara. Mazamu ako akabuda, bvudzi rako rikakura asi wakanga uri mutwi, usina chawakapfeka. “Ndakazopfuura zvakare nepawaiva ndikakutarisa. Izvozvo wanga wasvika pazera rokuda zvokuroorwa ndakatambanudzira hanzu yangu pauri ndikakufukidza muviri wako waiva mutwi. Ndakaita chitsidzo changu kwauri ndikaita chitenderano newe; ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, iwe ukabva wava wangu.” “Ndakazokushambidza nemvura ndichikushambidza ropa pauri ndikakuzora mafuta. Ndakakupfekedza nguo dzakarukirirwa ndikakupfekedza shangu. Ndakakupfekedza shangu dzeganda rembiti yakanakisisa ndikakupfekedza nesirika. “Ndakakushongedza zvakanakisisa nezvishongo ndikaisa makoza mumaoko ako netimbwa kechuma. Ndakaisa mhete mumhuno mako ndikakupfekedza mhete munzeve dzako. Ndakakugadza ndaza yakanakisa mumusoro. “Saizvozvo wakashongedzeka nendarama nesirivha. Zvipfeko zvako zvakanga zviri zverineni yakanakisisa nesirika namachira akarukirirwa. Waidya upfu hwekoroni hwakatsetseka nouchi namafuta. Wakabva wava nechimiro chakanakisisa kwazvo. Ukaita mambo chaiye wechikadzi. Mbiri yako yakadhumha mukati memarudzi avanhu pamusana porunako rwako nokuti rwakanga rwuri runako chairwo ruzere pamusana peururami hwandakanga ndakupa. Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari. “Asi wakavimba norunako rwako ukaita unzenza pamusana pembiri yako ukaita unzenza ihwohwo nomupfuuri nenzira ari wose. Wakatora dzimwe dzehanzu dzako ukadzishandisa kushongedza zvinoyemurika nzvimbo dzako dzokunamatira. Panzvimbo idzodzo wakaitira unzenza hwako ipapo. Hapana zvakadaro zvati zvamboitika kana zvichambofa zvakaitika kudaro. Wakatorawo iwe zvishongo zvako zvakanaka zvendarama yangu nesirivha yangu zvandainge ndakupa, ukazvishandisa kuzvigadzirira zvifananidzo zvevanhu ukaita zvounzenza nazvo. Wakatora iwe dzimwe dzehanzu dzako dzakarukirirwa uchizvishongedza nadzo uchipira mafuta angu norusenzi rwangu kwazviri. Chokudya chandakupa chaiti upfu hwakatsetseka hwandaikupa kuti udye namafuta nouchi wakandozvipira kwazviri somupiro unonhuwirira. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Wakatora iwe vana vako vakomana navasikana vawakandiberekera ukavapira kuti vadyiwe zvavo. Ihwo hunzenza hwako ihwohwo hudiki nhai, hwokuti wakauraya vana vangu ukavapira kwazviri somupiro unopiswa nomoto? Muzvinhu zvako izvozvo zvinosemesa nomuunzenza hwako hauna kurangarira mazuva ako epaucheche pawakanga uri mutwi usina chawakapfeka uchitakanyika uri muropa rako. “Mushure mouipi hwako hwose uhu, (zvichakuwana zvako, ndizvo zviri kutara Tenzi Mwari). Wakatozvivakira mupanda chaiwo nenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira munhandare yoga yoga. Pakona yomugwagwa woga woga wakazvivakira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira ukan'oresa noufeve runako rwako uchizarurira makumbo mupfuuri nenzira wose wose wonyanya nahwo hufeve hwako. Wakaitawo ufeve iwe navaIjipiti ivo vavakidzani nemi voruchiva ava uchinyanya nahwo hufeve hwako kuti undishatirise. “Saka naizvozvo chinzwa, ndakusimudzira shamhu muruoko ndichikutapudzira mugove wako wawakagoverwa ndichikuisa mumaoko mavavengi vako vana makaro, vanasikana vevaFirisitia, ivo vaitonyara nokuita kwako kwoufeve. “Pamusana pokuti hauguti wakaita unzenza navaAsiria. Wakaita unzenza navo iwe asi kuguta hauna kuguta. Wakanyanya nahwo hunzenza hwako nenyika youshambadzi yeKaridhea. Kunyange izvozvi hazvina kukugutsa.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Chakurwadza mwoyo ukadai chii zvokuti kunyange zvazvo uchionawo kuti zvose izvi, zviito zvenzenza chaiyo yokupedzesera, uchizvivakira mupanda chaiwo pakona yomugwagwa woga woga uchigadzira nzvimbo dzako dzakatunhumara dzokuteurira munhandare yokutandarira yoga yoga. Asi iwe hauna kuita sepfambi, unotoramba zvako muripo wacho. Uri chifeve chaicho chomukadzi chinotorana navatorwa chichisiya murume wacho. Varume ndivo vanobhadhara pfambi, vanhu vanotopa zvipo. Asi iwe ndiwe urikutopa zvipo kuzvikomba zvako zvose kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose kuzoita upombwe newe. Saka iwe wakasiyana chaizvo navamwe vakadzi muunzenza hwako. Hapana akakutsvetera kuti uite zvounzenza. Wakatopa muripo asi iwe muripo hauna kupiwa. Saka wakasiyana navamwe.” Nezvo chinzwa iwe pfambi zviri kutaura Tenzi, zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana poruchiva rwako rwakawanda wakazvipfekenura ukasara usisina chawakapfeka muunzenza hwako nezvikomba zvako uye pamusana pezvifananidzo zvako zvokunamata uye pamusana peropa ravana vako rawakapira kwazviri. Naizvozvo, chiona, ndichaunganidza zvikomba zvako zvose zvawakazvifadza nazvo; zvikomba zvawaida nazvose zvawakanga usingadi. Ndichavakokorodza kumativi ose vakurwise ndigokupfekenura kuti vakuone zvawakaita uri mutwi. Ndichakutonga sezvinoitwa vakadzi vanorambana navarume vavo uye savakadzi vanenge vadeura ropa. Ndichadeurawo ropa rako ndichikutsividzawo ndiine hasha neshanje. Ndichakuisa mumaoko ezvikomba zvako. Ivo vachaputsira pasi mupanda wako vagowondomorera pasi nzvimbo dzako dzakatunhumara dzokuteurira. Vachakupfekenura hanzu dzako vachitora zvishongo zvako zvakanaka vachikusiya usina chawakapfeka, uri mutwi. “Vachakuvinga nehondo yavarwi, vachikutaka namatombo vachakuita kanyama kanyama namapakatwa avo. Vachapisa dzimba dzako vachikuranga vakadzi vazhinji vachizviona. Ndichaita kuti zvounzenza uzvirege uyewo zvokupa zvipo kuzvikomba zvichabva zvapera. Ndiko kupedzera hasha dzangu pauri kwandichaita. Kuva neshanje newe kunobva kwapera. Ndichabva ndagadzana mwoyo uye handichazoshatirwazve. Pamusana pokuti hauna kuyeuka mazuva apauduku hwako asi kutoti wakandishatirisa nezvinhu izvozvi zvose, naizvozvo chinzwa, ini ndichakurangirawo zviito zvako. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Hauna here kupara mhosva younzenza pamusoro pezvimwe izvi zvose zvinosemesa zvaunoita.” “Munhu wose wose anenge avakuzoda kutaura tsumo achishandisa tsumo iyi nezvako achiti ‘Mbudzi kudya mufenje kufana nyina.’ Iwe uri mwanasikana chaiye waamai vako vanovenga murume wavo navana vavo. Uri munun'una chaiye wavakoma vako vaivenga varume vavo navana vavo. Amai vako vaiva muHiti, baba vako vaiva muAmori. Mukoma wako ndiSamaria aigara navana vake vasikana kuchamhembe kwako. Munun'una wako aigara kumaodzanyemba kwako ndiSodhomu navana varo vasikana. Asi hauna kuda kutevera nzira dzavo chete kana kuita zvinhu zvavo zvinosemesa asi kutoti nakanguva kaduku wakanga watoshata kupinda ivo mumaitiro ako ose. “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, munun'una wako Sodhomu navana vake vasikana havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako. Chiona, iyi ndiyo mhosva yakanga iri yomunun'una wako Sodhomu. Iye navanasikana vake vaizvikudza, vaine zvokudya zvakawandisa nokugarika vari vanhu vari pamutambaratede asi haana kubatsira varombo nevaiva muushai. Vaizvikudza vachiita zvinhu zvinosemesa mumaziso angu naizvozvo ndakavabvisa pandakazviona. “Pazvitadzo, Samaria haina kumboita hafu yezvako. Iwe wakaita zvinosemesa zvakawanda kupinda Samaria. Wakatoita kuti mukoma wako aite somururami pamusana pezvinosemesa zvawakaita. Zvino newewo unofanira kunyara nokuti wakatoita kuti mukoma wako nomunun'una wako vaite savarurami pamusana pezvitadzo zvako zvawakaita zvinosemesa kupinda zvavo. Ivo vanotova varurami kudarika iwe saka nyarawo iwe utakurane nenyadzi dzako nokuti wakaita kuti mukoma wako nomunun'una wako vaite savarurami panewe. “Ndichadzorera zvakare kubudirira kweguta reSodhomu nemisha yaro nokubudirira kweSamaria nemisha yayo. Ndichaita kutiwo kubudirira kwako kudzokere pakare mukati mavo. Uku kunenge kuri kuitira kuti ufumuke unyare nezvose zvawakaita uchizova chinhu chinovanyaradza. Kana zviri zvomukomanomunun'una newe; Sodhomu navanasikana varo richadzokera richiva zvaraiva riri kare Samariawo navanasikana varo richadzokerawo kuva zvarakanga riri. Newewo navanasikana vako uchadzokerawo kuva zvawakanga uri. Pamazuva ako awaizvitutumadza, munun'una wako, Sodhomu, akanga asiri chiseko pamuromo pako here iwe kuipa kwako husati hwabuda pachena? Iye zvino wangoitawo saiye, wava chiseko chemisha yeEdhomu navavakidzani nemisha yavaFirisitia vari munharaunda yako vanokushora. Unofanira kutakura mutoro wokuipa kwako nezvinhu zvako zvinosemesa.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Ndichaita kwauri sekuitawo kwawakaita iwe wakashora mhiko nokutyora kwawakaita chitenderano. Asi ndinoyeuka chitenderano changu newe pawakanga uchiri muduku. Ndichaita newe chitenderano chokugara nokugara. Ndipo pauchayeuka maitiro ako uchinyara pandinenge ndatora mukoma wako nomunun'una wako vose vari vaviri ndichizovapa kwauri savanasikana vako asi kwete pamusana pechitenderano changu newe. Ndichaita chitenderano changu newe. Uchabva waziva kuti ndini Tenzi. Ndinenge ndichiitira kuti uyeuke udumbirwe nazvo urege kuzofa wakazarura muromo wako zvakare pamusana penyadzi dzako pandinenge ndakuregerera zvose zvawakaita.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu, rondedzera dimikira, utaure nomuenzaniso kuimba yeIsiraeri. Iti zvanzi naTenzi Mwari, “Rimwe gondo guru rina mapapiro makuru rine minhenga mirefu yakawanda ina mavara-mavara rakaenda kuRebhanoni rikatanha musoro womuti womusidhari. Rakatanha kapazi kapamusoro-soro chaipo rikakatakura kunyika yevemhindu dzokutengeserana. Rakanokaisa muguta ravashambadzi. Gondo rakatorawo mhodzi yomunyikamo rikaidyara muvhu rakaorera, rakaidyara munyasi memvura zhinji sekusimwa kunoitwa kapazi komuti womusambangwena. Mhodzi iya yakabuda ikava mugirepisi unoti unotanda napasi. Mapazi awo akakwira mudenga; akakura akananga kugondo riya. Midzi yawo yakadzika pasi. Saizvozvo wakava mugirepisi wakaita mapazi ukaita pfumvudza. Asi pakanga paine rimwezve gondo guru rina mamapiro makuru rine minhenga yakawanda. Zvino mugirepisi uya wakanangisa midzi yawo kwariri mugirepisi wakarerekera mapazi awo kwariri kuti gondo riudiridze. Gondo iri rakautora ipapo rikandousima pavhu rakanaka pane mvura yakawanda kuti uite mapazi akawanda ubereke muchero, uvewo mugirepisi wakanakisisa. “Taura uti zvanzi naTenzi Mwari, ‘Ucharara here? Gondo irori haiudzuri here richiutyora mapazi awo. Zvokuti pfumvudza dzawo dzinouna. Haumboda ruoko rwakasimba kana kuti vanhu vakawanda vokuudzura nemidzi.’ Nhaimi, kana ukabviswa ipapa ukasimwa pamwe unorarama here? Haubva wanyatsouna here? Kana mhepo yokumabvazuva ikauvhuvhuta uchibva wauna panzvimbo ipapo pawasimwa.” Izwi raTenzi rakazouya kwandiri richiti, “Taurira imba yakapanduka iyi kuti, ‘Hamuzivi here zvinoreva zvinhu izvozvi? Vataurire kuti Mambo weBhabhironi akauya kuJerusaremu akatora mambo waro namachinda aro akaenda navo kuBhabhironi.’ Akatora mumwe wokumba huru semhodzi akaita chitenderano naye achimuita kuti apike nemhiko. Vakuru-vakuru vaakanga atora, akavatorera kuti nyika iyo ininipiswe irege kusimudza musoro. Uye kuti nokuchengeta kwainenge yaita chitenderano chake naye ikwanise kuramba imire. Asi akamupandukira nokutumira kwakaita nhume dzake kuIjipiti kuti imupe mabhiza nehondo huru. Achabudirira here? Munhu anoita zvakadai angapunyuke here? Anogona kutyora chitsidzirano achizopunyuka here? “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, munhu uyu akarega kufira mukati imomo meBhabhironi, munzvimbo yacho yamambo akamugadza umambo ane chitsidzirano chaakashora uye ane chitenderano naye chaakatyora handisirini. Farao nehondo yake huru navanhu vazhinji haangagoni kumubatsira muhondo paye panenge paitwa mudhuri vatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza kuita chokupindamo nacho kuti vauraye vanhu vazhinji, nokuti akazvidza mhiko akatyora chitenderano, asi akatosimudza ruoko kupika, pedzepo woita zvose izvi, haambopunyuki.” Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Hezvino ndakadai, ndikarega ini kuti chitsidzirano changu chaakashora, nechitenderano changu naye chaakatyora zvimupfukire, handisirini. Ndichamukanda mambure angu omuti mbunde-mbunde kumubata ndigoenda naye kuBhabhironi ndigomupinza dare ikoko nemhosva yokusatendeseka kwake kwandiri. Nyanzvi chaidzo dzevarwi vake vehondo vachafa nebakatwa; vanenge vapunyuka vachiti mwarara kumativi ose. Iwe uchabva waziva kuti ndini Tenzi ndazvitaura.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Iyeni pachangu ndichatanhawo pabazi rapamusorosoro chaipo pomuti murefu womusidhari bukira. Ndichatanha richiri idzva-idzva rapamusoro-soro penzvanzvana dzamapazi awo iyeni pachangu ndichirisima pamusoro pegomo rakakwirira refu-refu. Ndicharisima pakakwirira mugomo reIsiraeri kuti uve nemapazi ubereke muchero uve musidhari wakanakisisa. Pasi pawo pachizogara mhuka dzamarudzi namarudzi, mumumvuri mawo shiri dzemhando nemhando dzichizoita matendere adzo. Miti yose yesango ichaziva kuti ini Tenzi ndinopfupikisa muti murefu ndichirebesa muti mupfupi. Ndinoomesa muti munyoro ndichipfumvudzisa muti wakaoma. Ndini Tenzi ndazvitaura uye ndichazviita.” Shoko raTenzi rakauya kwandirizve richiti, “Zvinoreveiko kuramba muchingodzokorora tsumo iyi panyika yeIsiraeri yokuti, “Vabereki vakadya magirepisi anovava vana ndivo vakaita ugugu. “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, zvetsumo iyoyi haichazomboshandiswa nemi muIsiraeri. Chinzwai, munhu ari wose zvake ndowangu. Munhu angave baba kana mwana ndowangu. Munhu anenge apara chitadzo ndiye achafa. “Kana munhu akarurama achiita zvakarurama nezviri pamwero, asingandodyira pamakomo kana kutarisa zvifananidzo zvokunamata zvemba yaIsiraeri, asingatadze nomudzimai womumwe, kana kugara nomukadzi panguva yake yokutevera, asingadzvinyiriri mumwe anodzorera zvikwereti kwaakwereta, asingapambi munhu uye anopa chokudya kune ane nzara, anopfekedza vasina chokupfeka, anokweretesa asingati mari yake inofanira kudzoka yabereka imwe mari asingabati zvinhu zvakaipa, anoitira munhu nomunhu zvino ruenzaniso anotevera mitemo yangu achinyatsochengeta mirawo yangu, mururami. Anofanira kurarama, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Asi akabereka mwana mukomana, gororo, muurayi, anoita zvinhu zvakaita sezvizvi zvokuti anodyira pamakomo, anotadza nomudzimai womumwe, anodzvinyirira varombo navari muushai, anopamba asingadzoreri zvikwereti, anotarisa zvifananidzo zvokunamata anoita zvinosemesa anokweretesa achiti mari yake idzoke yabereka imwe mari, achiita chimbadzo; munhu akadaro anofanira kurarama here? Haafaniri kurarama. Akaita zvinhu zvose izvi zvinosemesa, anofanira kutoti afe, uye kuve nezvinomupfukira. “Ngatitii anoita mwana mukomana anoona zvose zvakaipa zvinoitwa nababa vake otya orega kuzvitevedzera, oita munhu asingadyiri pamakomo kana kutarisa zvifananidzo zvokunamata zvemba yaIsiraeri, asingatadzi nomudzimai womumwe, asingatadziri mumwe, asinganetsi nechikwereti, kupamba asingapambi, asi achipa vane nzara vasina chokupfeka achivapfekedza, asingabati zvinhu zvouipi asingati chikwereti chake ngachibereke kana kuita chimbadzo, ari anochengeta zvirongwa zvangu achifamba mumirao yangu haafaniri kufira uipi hwababa vake. Anofanira kurarama. Asi baba vake, pamusana pokuti vaiita zvechisimba vachipamba vanhu zvinhu, vachiita zvisina kunaka pakati pevanhu vokwake, achafa pamusana peuipi hwake. “Asi imi mungati, ko mwana wake anoregerei kutambudzika pamusana pouipi hwababa vake? Apa mwana akaita zviri pamutemo uye zvakarurama akanyatsochengeta mirao yangu yose anofanira kuti ararame. Munhu anoita chitadzo ndiye anofanira kuti afe. Mwana haafaniri kutambudzika nokuda kwohwutadza hwababa vake kana babawo kutambudzika nokuta kweuipi hwemwana wake. Mururami achawana mubayiro woururami, muipi achiwanawo mubayiro wouipi. “Asi kana munhu akaipa akasiyana nezvitadzo zvake zvose zvaakapara oita zviri pamutemo zvakarurama, anofanira kurarama, haafe. Hakuna kana chimwechete chaakakanganisa chinozorangarirwa. Pamusana pezvakarurama zvaanenge aita izvozvo, anofanira kurarama. Ndinofarira rufu rwomuipi here?” Ndizvo zviri kubvunza Tenzi Mwari, “Ndisingatofarira kuti atendeuke kunzira dzake agorarama? “Asi kana mururami akasiyana noururami hwake oita zvakaipa achiita zvinhu zvinosemesa zvimwechetezvo zvinoitwa nowakaipa, angararame here ipapo? Hakuna kana nechimwe chezvakarurama zvaakamboita chinozomborangarirwa. Pamusana pemhosva yaanayo younyengedzi uye nechitadzo chaakapara, anofanira kufa. “Imi ndipo pamuri kuti maitiro aTenzi haana ruenzaniso. Chinzwai zvino, imi imba yaIsiraeri! Maitiro angu haana ruenzaniso nhai? Handiti kuita kwenyu ndiko kusina ruenzaniso? Mururami kana akasiyana noururami hwake oita zvakaipa anofa nokuda kwaizvozvo. Uipi hwaanenge aita ndihwo hunoita kuti afe. “Uye kana akaipa, akasiyana nouipi hwaakaita oita zviri pamutemo, zvakarurama achazviponesa upenyu hwake nokuti anenge afunga akabva asiyana nezvikanganiso zvose zvaakakanga aita anofanira kutorarama, haafi. Asi imba yaIsiraeri ndipo pamuri kuti maitiro aTenzi haana ruenzaniso. Nhaimi vemba yaIsiraeri, maitiro angu haana ruenzaniso here? Handiti kuita kwenyu imi ndiko kusina ruenzaniso? “Naizvozvo ndichakutongai mumwe nomumwe maererano namaitiro ake, imi vemba yaIsiraeri, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Tendeukai musiyane nezvikanganiso zvenyu zvose uipi hungadaro hukakuparadzai. Kandai pasi zvikanganiso zvenyu zvose zvamakapara kwandiri muwane mwoyo mutsva nomweya mutsva. Madireiko kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri? Chikonzero ndechokuti handifariri kuti ani naani zvake afe.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Saka pindukai murarame.” Chiimba rwiyo rwokuungudza kuchema machinda eIsiraeri uchiti: “Ii-i amai vako vaiva shumba chaiyo pane dzimwe shumba, yaiti pasi hwatata pakati peshumba diki ichirera vana vayo. “Yakayarutsa mumwe mwana wayo akava mukono uchiri kuzvinzwa, yakadzidza udzimba hwokubata nyama ikadya vanhu. Runyerekupe rwezvazvo rwakazengezanwa mumarudzi, yakawira muhunza yavo. Vakaiendesa iine zvikochekero kunyika yeIjipiti. “Payakaona kuti zvayaitarisira zvaponga, chitarisiro chayo chapera, yakatora mumwe mwana wayo ikamuita kuti ave chimukono cheshumba. Chaizvikakanyadza mukati medzimwe shumba chikava chimukono chaicho cheshumba, yakadzidza udzimba hwokubata nyama yakava yokudya vanhu. Yakabvongodza munhare dzavo dzokuhwanda muhondo, ikaparadza maguta avo; nyika navagari vomo ikashaya pokuisa mwoyo nokutya payainge yodzvova. “Marudzi akaiteya kumativi ose. Vakaikanda mambure avo ikabva yabatwa muhunza yavo. Iine zvikochekero kudaro vakaipfigira muchizarira vakaiendesa kuna mambo weBhabhironi vakaizaririra muchitokisi kuti pasave neanonzwa izwi rayo mumakomo eIsiraeri. “Amai vako vaiva somugirepisi wakarimwa mumunda wamagirepisi wakasimwa pedyo nemvura unowa michero wakati mapazi sarara pamusana pemvura zhinji. Mapazi awo akaita hunde akakura kuita tsvimbo dzoumambo, wakareba mudenga nomukati megwindingwi ramapaazi. Nokureba kwawo uchioneka wakati dzu-u mudenga uina mazhinji mapazi. “Asi mugirepisi iwoyo wakadzipurwa nehasha ukarigirwa pasi, mhepo yokumabvazuva yakauomesa michero yawo ikakurumurwa. Hunde yawo yakasvava ukaroromeswa nomoto. Zvino wakasimwa mugwenga munyika yakaoma ine nyota. Moto wakabva pahunde yacho ukaroromesa mapazi awo nomuchero wawo zvokuti pauri pakanga pasisina rumuti rwakasimba runogona kana kuitwa tsvimbo youmambo.” Irworu rwiyo rwokuungudza rwava rwiyo rwokuungudza. Mugore rechinomwe mumwedzi wechishanu pamusi wechigumi wemwedzi iwoyo, vamwe vakuru vakuru veIsiraeri vakauya kuzoda kunzwa kuti Tenzi anoti kudii. Vakasvikogara mberi kwangu. Ipapo izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu taurira vakuru vakuru veIsiraeri ava uvaudze kuti, zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chamavinga pano apa kuda here kuzonzwa kuti ndinoti kudii?’ Zvino hezvinoi ndakadai, ndizvo zviri kureva Tenzi, zvokuti imi muuye kuzonzwa kuti ini ndinoti kudii handizvidi. Iwe mwanakomana womunhu wotovatongaka! Vatonge vazivise unyangadzi hwakan'ora hwamadzibaba avo uchivaudza kuti, Zvanzi naTenzi Mwari, pazuva randakasarudza Isiraeri, ndakatsidza nemhiko kumbeu yemba yaJakobho ndichizvizivisa kwavari munyika yeIjipiti. Ndakatsidza nemhiko kwavari ndichiti ndini Tenzi, Mwari wenyu. Pazuva iroro ndakatsidza kwavari nemhiko kuti ndichavaburitsa munyika yeIjipiti ndichivaendesa kunyika yandakavatsvakira, nyika youchi nomukaka, nyika yakakurumbira kwazvo kupinda nyika dzose zvadzo. Izvozvo ndakavati kandai pasi zvinhu zvounyangadzi hwakan'ora zvamunofarira kuona nameso enyu ani naani zvake wenyu murege kuzvin'oresa nezvifananidzo zvokunamata zveIjipiti, ini ndini Tenzi, Mwari wenyu. Asi vakandipandukira vakarega kunditeerera. Mumwe nomumwe wavo haana kukanda pasi zvinhu zvinosemesa zvavaifarira kuona nameso avo kana kusiyana nezvifananidzo zvokunamata zveIjipiti. Ipapo ndakafunga zvokuvavirukira nehasha, ndipedzere hasha dzangu pavari mukati menyika yeIjipiti. Asi ndakaitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi mavakanga vagere nokuti ndakanga ndazvionesa kwavari ndichivazivisa kuti ndichazoburitsa vaIsiraeri munyika yeIjipiti. Ipapo ndakavaburitsa munyika yeIjipiti ndikavaunza murenje. Ndakavapa mirao yangu ndikavarayiridza mitemo yangu yokuti munhu anenge aichengeta ararame nayo. Ndakavapawo mazuva angu eSabata sechiratidzo pakati pangu navo kuti vazive kuti ini Tenzi, ndini ndinovaita kuti vave vatsvene. Asi imba yaIsiraeri yakandipandukira murenje. Havana kutevedza mirao yangu asi vakaramba mitemo yangu yokuti munhu anenge aichengeta anorarama nayo. Masabata angu vakan'oresa zvikuru. Ndipo pandakafunga zvokuti ndipedzere hasha dzangu pavari murenjemo kuti ndibva ndanyatsovatsakatisa. Asi ndakaitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi vakanga vaona nameso avo ndichivaburitsa. Uyewo ndakapika kwavari murenje nemhiko kuti handisi kuvasvitsa kunyika yandakanga ndavapa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi nyika yakakurumbira kwazvo kupinda nyika dzose nokuti vakaramba zvirongwa zvangu vakarega kutevedza zvirevo zvangu vakan'oresa masabata angu nokuti vakanga vatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata. “Zvakadaro zvazvo ndakavaitira tsiye nyoro ndikarega kuvaparadza kana kubva ndanyatsovatsakatisa murenjemo. Ndakatiwo kuvana vavo murenje, musatevedze mirao yamadzibaba enyu kana kuteerera mitemo yavo kunyange kuzvin'oresa nezvifananidzo zvavo zvokunamata. Ini Tenzi, ndini Mwari wenyu, tevedzai mirao yangu muchenjerere kuteerera mitemo yangu muerese masabata angu kuitira kuti uve somucherechedzo pakati pangu nemi mugoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu. “Asi vana vavo vakandipandukira vakarega kutevedza mirao yangu uye havana kuitira mitemo yangu hanya yokuichengeta yokuti munhu anenge aichengeta anorarama nayo. Vakan'oresa masabata angu. Ndipo pandakafunga kuti ndivavirukire nehasha ndipedzere hasha dzangu pavari murenje imomo. Asi ndakadzora ruoko rwangu, ndichiitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi. Uyezve ndakavapikira murenje kuti ndichavaparadzira mukati memarudzi ndichivaendesa kudzinyika nokuti havana kuchengeta mitemo yangu asi kuti vakaramba mirao yangu vakan'oresa masabata angu izvozvo meso avo akanga angova pazvifananidzo zvokunamata zvamadzibaba avo. Uyewo ndakavapa mirao yakanga isina kunaka nemitemo yaiita kuti vatadze kuwana upenyu. Ndakavan'oresawo nezvipo zvavo izvozvo ndichiita kuti vapire nomoto somupiro matangwe avo ose echikomana kuitira kuti vadumbirwe nazvo. Ndakazviita kuti vazive kuti ini ndini Tenzi. “Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu taurira imba yaIsiraeri uchivaudza kuti, zvanzi naTenzi Mwari hechinoi chimwezve chakaitwa namadzibaba enyu chokundishonha nokusatendeka kwandiri. Ndinodaro nokuti pandakavaunza munyika yandakatsidza kuzovapa vaiti vakangoona chikomo chirefu kana muti wakasvibira, ipapo vaibva vatopira zvibayiro zvavo vachipa mipiro yavo inotsamwisa vachipwitititsirapo zvavo zvinonhuwirira uye vachiteurira ipapo mipiro yavo yokuteura. (Ndakavati ndiko kui kunzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira kwamunoenda? Sakawo zita rapo rakanzi ‘Pakatunhumara.’ Kusvikira pari nhasi.) Nezvo chiti kumba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari munodirei kuzvin'oresa sezvakaita madzibaba enyu muchiteterekera mutome kutevera unyangadzi hwavo hwakan'ora? Pamunopira zvipo zvenyu nokubayira vanakomana venyu sechibayiro pamoto muchizvin'oresa nezvifananidzo zvenyu zvose zvokunamata kusvikira pari nhasi. Pakadai ndipo here pamungazoda kundinzwa kuti ini ndinoti kudii, nhai imba yaIsiraeri? Hezvino ndakadai ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari, handidi zvangu kuti imi muzobvunza kuti munzwe kuti ini ndinoti kudii! “Zviri mumwoyo menyu izvozvo hazvisi kuzofa zvakaitika zvokufunga kuti tinoda kuve sevechirudzi kuti muite samarudzi ari mudzinyika uye kuti munamate zvimiti namatombo. “Zvanzi naTenzi Mwari, ‘Hezvino ndakadai, ndikarega ini kukutongai muri mumaoko mangu shamhu yangu iri mudenga uye ndikaviruka nehasha, handisirini. Ndichakubvisai mukati memarudzi iwayo ndigokukokorodzai munyika dzamunenge mapararira. Ndichazviita izvozvo namaoko angu aya shamhu yangu iri mudenga ndakaviruka nehasha. Ipapo ndichakuunzai murenje revechirudzi ndigokupinzai dare takatarisana uso nouso. Ndichakutongesai sokutongesa kwandakaita madzibaba enyu murenje renyika yeIjipiti,’ ndichakukwidzai dare ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Ndichakuitai kuti mupfuure napasi petsvimbo yangu ndichikuunzai muchisungo chechitenderano changu. Ndichabvisa vapanduki pakati penyu navavo vanenge vandikanganisira. Ndichavaburitsa munyika mavari kumbogara asi havasi kuzopinda munyika yeIsiraeri. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi. “Asi kana zviri zvenyu, imimi vemba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari endaika zvenyu mumwe nomumwe kundonamata zvifananidzo zvake zvokunamata asi mushure maizvozvo kunyange zvazvo mukarega kunditeerera asi zita rangu rinoera hamusi kuzorin'oresazve nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu zvokunamata. Zviripo ndezvokuti pagomo rangu rinoera gomo refu reIsiraeri, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, ipapo imba yose yavaIsiraeri vose zvavo vachandinamata munyika imomo. Ipapo ndichavagamuchira, ipapowo ndichati muite mudememudeme muchibvisa zvipo zvenyu zvakanakisisa nemipiro yenyu yose inoera. Ndichakugamuchirai somupiro unonhuwirira pandichakubvisai mumarudzi ndichikukokorodzai kudzinyika kwamakapararira. Ndicharatidza kuera kwangu pakati penyu marudzi achiona. Muchabva maziva kuti ndini Tenzi pandichakuunzai munyika yeIsiraeri, nyika yandakatsidzira kuzopa madzibaba enyu. Imomo muchayeuka kuita kwenyu nezviito zvose zvamakazvin'oresa nazvo, muchatozvisema nezvakaipa zvose zvamakaita. Uye muchaziva kuti ndini Tenzi kana ndava kuzoita nemi zvandinoita ndichiremekedza zita rangu, kwete zvinokodzerana nenzira dzenyu dzakaipa kana zviito zvenyu zvakaora, iyemi vemba yaIsiraeri,” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Shoko raTenzi rakauyawo kwandiri rikati, “Iwe Mwanakomana womunhu wochinangana nemaodzanyemba uparidze wakanangana namaodzanyemba uporofite wakanangana namaruwa amasango okuNegevhu. Iti kusango rokuNegevhu, inzwai izwi raTenzi. Zvanzi naTenzi Mwari, chinzwa, ndichabatidza moto mauri ucharoromesa muti wose wakasvibira uri mauri nomuti wose wakaoma usingazodzimiki; rimi rinonganduka risingadzimuriki. Uchavavaidza uso hwose kubvira kumaodzanyemba dakara kuchamhembe. Vose vose vachaona kuti Tenzi ndiye akabatidza moto iwoyo usingadzimuriki.” Ini ndipo pandakati, “Aa-a nhai Tenzi Mwari inga vari kutaura nezvangu vachiti haasi munhu wokungotaura namadimikira here?” Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu wochinangana neJerusaremu uparidze wakanangana nenzvimbo dzacho dzinoera uporofite wakanangana nenyika yeIsiraeri uti kunyika yeIsiraeri, zvanzi naTenzi chinzwa, ndanangana newe zvino. Ndichaburitsa bakatwa rangu muhara ndiuraye mukati mako vakarurama navakaipa. Sezvo ndichauraya mukati menyu vakarurama navakaipa kudaro saka bakatwa rangu richabudira muhara vanhu vose kubvira kumaodzanyemba dzamara kuchamhembe. Vanhu vose vachaziva kuti ini Tenzi ndini ndaburitsa bakatwa rangu muhara. Harichadzoserwazve muhara. Ungudza iwe munhu! Ungudza nomwoyo wakasuruvara nokushungurudzika kukuru vachiona nameso avo. “Kana vakakuti zvauya sei kuungudza kudai, iwe uti ‘Pamusana pamashoko. Paachasvikira munhu wose achadumbirwa nazvo; maoko avose achapera simba, mweya yose ichirukitika; mabvi ose achati rukutu semvura zvayo. Hezvo rosvika uye richatoitika.’ ” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari. Shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu porofita uti zvanzi naTenzi, iti: Bakatwa, bakatwa rakarodzwa uye rikakwenenzverwawo richirodzerwa kuuraya nokukwenenzvererwa kupenya semheni! Ndipo patingabva tatofaririra nhai? Tarisai muone tsvimbo youmambo yapenyeserwa mwanakomana wangu kuti azvidze zvimiti zvokunamata. Bakatwa rakanzi rirodzwe kuti ribatwe. Rakarodzwa rikakwenenzverwa kuti riiswe mumaoko momuurayi. “Ridza mhere uchihwihwidza, iwe mwanakomana womunhu pamusana pezvawira vanhu vangu zvichinangana namachinda eIsiraeri ose. Ipapo vanofanira kuuraiwa nebakatswa iwe chibata rushaya, nokuti kuedzwa hakusi kuzorega kuuya chamakazvidzira tsvimbo youmambo chii? Hamusi kuzobudirira.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Saka zvino chiporofita iwe mwanakomana womunhu. Rovanisa maoko bakatwa rigouya pasi kaviri kana katatu kese, ibakatwa ravanofanira kuti vaurayiwe. Ibakatwa rokuuraya vanhu kwakanyanyisa rakatarisana navo kuitira mwoyo yavo idedere, vazhinji vafe mumaguta mavo mose. Ndakapa bakatwa rinopenya. Heekaka! Rakagadzirwa semheni rikaputirwa kuitira kuzourayisa. Nyatsocheka uku nouku kunenge kwangonanga rutivi runocheka. Ini ndicharovanisawo maoko angu ndichipedza hasha dzangu. Ndini Tenzi ndazvireva.” Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu tara nzira mbiri dzokuitira hondo yebakatwa yamambo weBhabhironi ichauya. Dzose dziri mbiri dzichabva kunyika imwecheteyo. Umise chikwangwani uchidzike pakona yomugwagwa wokupinda muguta. Tara nzira yebakatwa inoenda kuguta reRabha rokuvaAmoni neinoenda kwaJudha muguta retsvingo reJerusaremu. Ndinodaro nokuti mambo weBhabhironi anosvikomira pamhararano penzira idzodzo panoparadzana nzira mbiri idzodzo oshopera. Anoita miseve hakata dzokukandira nadzo, obvunzira kutumwari twechiterafimu achinan'anidza pachiropa. Muruoko rwake rworudyi chin'ange chinenge chabata Jerusaremu kuti iisirwe zvombo zvakaita sehondohwe zvokudhugumurisa, nokundoshamarara kuridza mhere dzokuuraya nokudaidzirisa kwazvo nokumisa zvombo zvakaita sehondohwe zviya zvokudhugumurisa zvakatarisana nemisuo mikuru yacho nokuzoriisira chinenge musana wenzou chevhu kurusvingo nokuzovaka nokuchera mugero. Asi kwavari ivo zvichatarisika sokushopera kusina maturo vachitozviti vakapika mhiko chaidzo dzakasimba. Asi achaita kuti mhosva yavo iyeukwe kuitira kuti vagobatwa. “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari pamusana pokuti makaita kuti chitadzo chenyu chiyeukwe nokuiswa pachena kwaitwa chitadzo chenyu zvokuti muzviito zvenyu zvose zvazvo, zvitadzo zvenyu zvava kuonekwa, zvaita kuti imi muyeukwe; muchaiswa mumaoko mavo. Iwe muipi, akan'ora, muchinda weIsiraeri zuva rokutongwa kwako kwokupedzisira rasvika zvino. Zvanzi naTenzi Mwari bvisa ngundu ukutunure chiremba choumambo. Zvinhu hazvicharamba zvakaita zvazvakaita. Vapasi vachasimudzwa vapamusoro vachaderedzwa. Ndichaita kuti uve dongo, dongo, dongo zvaro zvisati zvamboitika kusvikira ane mvumo yokuritonga auya ndiye wandicharipa. “Zvino iwe mwanakomana womunhu porofita uchiti, ‘Zvanzi naTenzi Mwari nezvevaAmoni uye nezvokunyadziswa kwavo achiti, bakatwa, bakatwa raburitswa muhara kuzorakatisa.’ “Rakakwenenzverwa zvokuva nokupenya kunenge kwemheni ivo vachikuonerai zviratidzo zvenhema kudaro vachishopera zvenhema nezvenyu saizvozvo bakatwa richazoiswa pamutsipa yavakaipa vakan'ora vasvikirwa nenguva yokutongwa kwavo kwokupedzisira. Ridzosere muhara maro. Munzvimbo mawakasikwa imomo munyika mawakaberekerwa ndimo mandichakutongera. Ndichapedzera shungu dzangu pauri ndichava moto moto kukuvirukira nehasha dzangu. Ndichakuisa mumaoko mavanhu voutsinye mharadzi chaidzoidzo. Muchava huni dzokupisa moto, ropa renyu richierera mukati menyika. Hamuchazoyeukwazve nokuti ini Tenzi ndazvireva.” Uyewo izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu tonga guta iri guta remhosva yokudeura ropa, ritonge. Ritaurire zviito zvaro zvose zvinosemesa. Unofanira kuti, zvanzi naTenzi Mwari, “Guta rokudeura ropa mukati maro nguva yako yazosvika; iyewe nyakugadzira zvifananidzo zvokunamata zvokuzvin'oresa! Une mhosva iwe pamusana peropa rawakadeura ukan'oreswa nezvifananidzo zvokunamata zvawakaita. Ipapo wakaita kuti zuva rako risvike, nguva yako yamakore awakatarirwa yasvika. Naizvozvo ndakuita kuti uve chiseko zvacho kumarudzi nechinhu chinoshoreka munyika dzose zvadzo. Vepedyo nevokure newe vachakunyomba, iwe nhunzvatunzva izere mheremhere. “Tarisa uone, machinda eIsiraeri, mumwe nomumwe sokugona kwake, anokarira kudeura ropa. Vanhu vava kuzvidza baba naamai mauri iwe guta, vava kutorera mari vaenzi nenzira dzokusevenzesa chisimba mukati mako. Vanhu vava kuitira zvakaipa nherera nechirikadzi mauri iwe. Munozvidza zvinhu zvangu zvinoera muchin'oresa mazuva angu eSabata. Mauri iwe, vanhu vari kudeura ropa namakuhwa avo, uye vanhu vari mauri iwe vanodyira mumakomo vava kuita zvinhu zvisina hunhu mukati mako. Mauri iwe vanasikana vari kufeva namadzibaba avo. Mauri iyewe varume vari kumanikidza kugara navakadzi vari panguva yavo yokutevera. Mumwe anoita zvinhu zvinosemesa nomudzimai womumwe, mumwewo achiita upombwe hunotonyadzisa nomuroora wake. Mumwezve murume mauri iwe anotadza nehanzvadzi yake, mwana wababa vake chaiye. Mauri vanhu vanogamuchira chiokomuhomwe chokuti vadeure ropa. Munokweretesa mari nechimbadzo muchitarisira kuti idzoke yabereka muchizviwanira zvinhu nokutorera vamwe nenzira dzokushandisa chisimba mukandikanganwa.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Chinzwa, naizvozvo ini ndinorova pasi nechibhakera changu ndichikomekedza nezvokuwana zvinhu nokubiridzira kwamunoita uye ndichikomekedza nezveropa rinodeurwa pakati pako. Naicho chivindi chako ichochi ungapamire here, kana kutokwinyirirawo kwazvo namaoko ako iwe mumazuva andinenge ndanangana newe? Ini Tenzi ndini ndataura uye ndichazviita. Ndichakutii mwarara mukati memarudzi ndichiita kuti mupararire nedzinyika. Ndicharoromesa zvakaora mauri. Muchava vanhu vakan'ora mukuona kwamarudzi. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.” Shoko raTenzi rakauyazve kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri yangova marara zvawo outare kwandiri. Vose zvavo, vaita sesirivha nendarira noutare hwerata nesimbi nomutobvu zviri muvirira romoto vangova marara hawo outare. Ndokusaka zvanzi naTenzi Mwari, mose zvenyu zvamava marara zvawo outare kudai naizvozvo, chinzwai, ndichakuunganidzai pakati peJerusaremu. Sokuunganidza kunoitwa sirivha nendarira nesimbi nomutobvu noutare hwerata muvirira romoto zvigovhutirwa moto kuitira kuti zvinyongodeke, ndokuunganidza kwandichakuitai ndakashatirwa ndakatsamwa ndichakurongererai imomo ndikunyongodesei. Ndichakuunganidzai ndigokuvhutirai nemoto chaiwo wehasha dzangu. Muchanyongodeka mukati mawo. Sokunyongodeka kunoita sirivha muvirira ndiko kunyongodeka kwamuchaita mukati mawo. Ndipo pamuchaziva kuti ini Tenzi ndini ndakuvirukirai nehasha.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu iti kunyika iyi uri nyika isina kuchenurwa, isina kuniwa nemvura pazuva rehasha. Machinda, mukati mayo vakaita seshumba dziri kuwomba dzichibvambura-bvambura nyama. Vakapfuudza upenyu hwavanhu. Vakapamba upfumi nezvinhu zvakakosha. Vakaita kuti vazhinji vave chirikadzi mukati mayo. Vapristi vayo vakatyoranisa mutemo wangu, vakan'oresa zvinhu zvangu zvinoera; havana kusiyanisa chinhu chinoera nechinhuwo zvacho. Havanawo kudzidzisa kusiyana kwezvan'ora nezvisina. Masabata angu havana kuaitira hanya zvokuti ndava chinhu chakan'ora pakati pavo. Machinda, mukati mavo, vava mhumi zvadzo dzinobvambura-bvambura nyama nokudeura ropa vachiparadza upenyu vachizviwanira zvinhu nenzira dzisina kutendeka. Uye vaporofita vayo vanodzurura nesuko vachiona zviratidzo zvenhema vachishopera chiporofita chamanyepo vachiti zvanzi naTenzi Mwari; iye Tenzi asina chaataura. Vanhu venyika iyoyi vanotorera vanhu zvinhu nechisimba uye vanopamba. Vanoonesa nhamo varombo navasina chavanacho; vanoitira zvakaipa mueni zvisina ruenzaniso. Zvino ndakatsvaga pakati pavo munhu angavake rusvingo, anomira pakakoromoka pamberi pangu, akamiririra nyika kuitira kuti ndirege kuiparadza. Asi hapana wandakawana. Ipapo ndakavavirukira nehasha ndikavaroromesa nomoto wehasha dzangu. Maitiro avo ndakati avapfukire.” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari. Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, paivapo vakadzi vaviri vaiva vana vamai vamwechete. Vakaita unzenza muIjipiti. Vakaita ufeve hwacho vachiri vechiduku vachidzvanywa mazamu avo minyatso yavo youmhandara ichibatwa-batwa. Mukuru wacho ainzi Ohora munun'una wake achinziwo Ohoribha. Vakava vangu vakabereka vana vakomana navasikana. Pamazita avo apa Nyadumba iSamaria, Mudumba iJerusaremu. “Ohora akaita upfambi iye ari wangu. Mwoyo wake waidokwairira zvikomba zvake vaAsiria ivo varwi vakapfeka hanzu dzoruvara rwohute, masadunhu navatungamiriri vakuru vehondo vose, zvavo vari majaya anoyemurika, varwi vamabhiza vanotasva mabhiza. Akaita ufeve hwake navo ivo varume vakanakisisa veAsiria vose zvavo vachizvin'oresa nezvifananidzo zvokunamata zvomumwe nomumwe wose waaidokwairira. Haana kumbosiyana noufeve hwaaiita mazuva aaiva muIjipiti nokuti paakanga achiri wechiduku varume vairara naye vachibata-bata nyatso dzake dzoumhandara vachipedzera shungu dzoruchiva rwavo paari. Naizvozvo ndakamuisa mumaoko mezvikomba zvake izvozvo, mumaoko mavaAsiria vaaidokwairira vacho. Ivava vakamupfekenura kumusiya ava mutwi. Vakabata vanakomana vake navanasikana vake. Iye vakamuuraya nebakatwa akabva ava tsumo zvayo pakati pavakadzi paakanga zvino atemerwa chirango chake. “Munun'una wake uya, Mudumba izvozvi zvaiva mumaziso make asi akava mukadzi ane tsika dzakatonyanyisisa kuora kumudarika iye mukudokwaira mwoyo woufeve hwake hwakanga hwakatoipisisa kupfuura hwomukoma wake. Mukadzi uyu akadokwairira vaAsiria, masadunhu acho navatungamiriri vakuru vehondo ivo varwi vakanga vakapfeka zvinhu zvokuhondo chaizvo zvakakwana vari varwi vemabhiza vachitasva mabhiza, vose vari majaya anoyemurika. Ipapo ndakaona kuti akanga aton'oreswa uye vose vari vaviri vakanga vatora nzira imwecheteyo. “Asi iye akatopindiridza kwazvo ufeve hwake. Akaona varume vakanzi chechetere pamadziro, mifananidzo yavanhu vechiKaridhea yakanzi kumadziro chechetere neingi tsvuku vakasunga mindya muchiuno vaine ngundu mumusoro dzinoti rembe rembe. Vose vaitarisika savakuru vakuru uri mufananidzo zvawo wevaBhabhironi vagari venyika yeKaridhea. Paakavaona akavadokwairira mwoyo akatumira nhume kwavari kuKaridhea. VaBhabhironi vakauya kwaari vakaenda naye pamubhedha wezverudo vakamun'oresa nehavi dzavo. Mushure mokunge an'oreswa navo kudaro, akavaramba asviba mwoyo. Paakanga oita ufeve hwake pasina zvokuvanza wongoita ufambi zviri pachena achizviyanika muviri wake, ndakasviba mwoyo ndikamuramba sezvandakaita mukoma wake. Asi ufeve hwake ndipo paakatohunyanya oyeuka zvino mazuva oumhandara hwake paaiita ufeve nenyika yeIjipiti kwaaidokwairira mhombwe dzake ikoko dzine mhuka dzinenge dzamadhongi dzinowadzura mbeu samabhiza makono. Ndokusuwira kwawaiita kushaya hunhu pahudiki hwako zviya zvokuIjipiti kwawaibatwa-batwa minyatso yako uchidzvanywa mazamu ako akanga achiri echidiki.” Naizvozvo iwe Ohoribha zvanzi naTenzi Mwari, “Chinzwa ndichaita kuti upandukirwe navadiwa vako ivavo vawakaramba wasviba mwoyo. Zvino ndichavaunza vagokukomberana kumativi ese, ivo vaBhabhironi navanhu vose vechiKaridhea vokuPekodhi nokuShoa nokuKoa uye nevaAsiria vose vavanavo, majaya acho anoyemurika, masadunhu navatungamiriri vakuru vehondo, vose vakuru vakuru, varwi vose zvavo vakatasva mabhiza. “Vachakuvinga vachibva kuchamhembe vaine ngoro dzehondo nezvikochikari negurusvusvu ravanhu vamarudzi. Vacharongana kuzokurwisa kumativi ose vaine nhoo huru neduku nenguwani dzesimbi. Ndivo vandichati vakugadze dare; vachakutonga iwe maererano nematongerowo avo. Iwewe ndiwe wandichanangana naye ndakashatirwa ivowo vagokuitira zvehasha. Vachacheka mhuno dzako nenzeve dzako, vanenge vasara vokwako vachifa nebakatwa. Vachabata vanakomana navanasikana vako. Vanenge vasara vokwako vachavaroromesa nomoto. Vachakupfekenurawo hanzu dzako vachikutorerawo zvishongo zvako zvakanakisisa. Saizvozvo ndichapedza kushaya kwako hunhu uye ufeve hwako hwakabva kunyika yeIjipiti zvokuti hauzombotarisa kana kuyeukazve vaIjipiti, nokuti zvanzi naTenzi Mwari chinzwa, ndava kukuisa mumaoko mavavo vaunovenga mumaoko maavo vawakaramba wasviba mwoyo. Ivo zvavachaita kwauri vachakuitira noruvengo, vachakutorera zvose zvawakawana nokushanda kwako vagokusiya wangodaro wakashama mutwi uye ufeve hwako huchasiyiwa hwava pachena. Pamusana pokushaya hunhu hwako noufeve hwako unenge wawirwa nezvinhu izvozvi nokuti wakaita ufeve namarudzi avanhu ukazvin'oresa nezvifananidzo zvavo zvokunamata. Wakatevedza nzira yomukoma wako, nezvo ndichaisa mukombe wake wehasha dzangu mumaoko mako.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Unofanira kuti utonwa mukombe womukoma wako, zigombe guru chairo. Uchasekwa nokudadirwa nokuti rine zvakawanda. “Uchanyatsoraradza zvako ugonyatsosuruvara. Mukombe unodumbirisa wokuparadza ndiwo mukombe womukoma wako Samaria. Uchaunwa zvokuukwengura ugotobanda zvimedu zvawo wobvanzura mazamu ako nokuti ndini ndazvireva.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti wakandikanganwa ukandikanda kuseri kwako. Hezvoka worumwa nechokuchera nokushaya kwakoka hunhu nounzenza hwako. “Tenzi akanditi iwe mwanakomana womunhu chitonga Ohora naOhoribha. Vazivise zviito zvavo zvinosemesa nokuti vakaita ufeve uye vane ropa mumaoko. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo zvokunamata vachitopira kwazviri sechokudya vana vaya vavakandiberekera. Uyezve vakaita izvi kwandiri, vakan'oresa Nzvimbo yangu Inoera panguva imwechetewo vachin'oresa maSabata angu nokuti pavakauraya vana vavo vachivaita chibayiro kuzvifananidzo zvavo zvokunamata pazuva rimwechetero vakauya kuNzvimbo yangu Inoera kuzoin'oresa. Hezvo, zvavakaita mumba mangu. “Vakatotumira shoko rokukoka varume vanobva kure vakatumirwa nhume ndokubvawo vauya. Wakazvishambidza ukapenda maziso ako ukazvishongedza nezvishongo uchiitira ivo. Wakati tendhe kugara pachigaro chaiva neteburu yakagadzikirwa zvokudya mberi kwacho pawakanga iwe waisa rusenzi rwangu namafuta angu eorivhi. Izvozvo paiva nemheremhere yemhomho yavanhu vaiva naye uye nezvidhakwa zvamadzenga zvawo avarume vokurenje. Vakaisa tsambo mumaoko avakadzi nendaza dzakanakisa pamisoro yavo. Ndakazoti ko zvino ivo varume havaite upombwe here kana vachiita ufeve naye? Vakatadza naye sezvinoita varume vanotadza nepfambi. Ndiko kutadza kwavakaita naOhora naOhoribha vachiita zvisina hunhu. Vanhu vakarurama vachavatongera mhosva youpfambi uye nemhosva yavakadzi vanodeura ropa nokuti zvifeve uye vane ropa mumaoko mavo.” Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Vaunzire hondo kuzovarwisa uite kuti vave chinhu chinotyisa nechinhu chokupamba. Hondo iyoyo inofanira kuvataka namabwe ivapfuudze namapakatwa ayo vachauraya vanakomana navanasikana vavo uye ichiroromesa dzimba dzavo. Ndomapedzero andichaita kushaya hunhu munyika iyoyi kuitira kuti vakadzi vose vawane yambiro varege kuzoshaya hunhu sezvakaita imi. Kushaya kwenyu hunhu kuchakupfukirai mugopiwa shamhu yechirango chechitadzo chenyu chokunamata zvifananidzo. Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi Mwari.” Mugore rechipfumbamwe mumwedzi wegumi pamusi wechigumi wemwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva ranhasi, iro ranhasi chairo. Mambo weBhabhironi atokomba Jerusaremu iye nhasi uno chaiye. Zvino wochitaura nomuenzaniso kumba yavapanduki uvati zvanzi naTenzi Mwari, “Gadzai poto, gadzai poto pamoto mudirewo mvura mairi. Rongererai mairi nhindi dzenyama, nhindi dzose dzakanaka dzenyama dzechidya nedzebandauko, muiti pamu pamu kuzadza namapfupa akanakisisa ayo mutore chipfuwo chakanakisisa chomudanga murongerere huni pasi pacho mubike nhindi dzacho, mapfupa acho abikei pamwechete nacho.” Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Zvichakuwana, iwe guta rinodeura ropa, iyewe poto ine ngura, ngura isina kumbopera. Chachurai mukati mayo nhango nenhango pasina zvokuswerosarudza nokuti ropa raro rakadeurwa richiri mukati maro. Rakariisa paruware pachena zvapo. Harina kudira ropa iroro pasi kuitira kuti rifushirwe zvaro nevhu. Ndakaisa ropa rarakadeura racho paruware pachena zvapo kuitira kuti rirege kufushirwa kuitira kuti hasha dzangu dzigomuka ndigotsividza.” Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Zvichariwana guta rokudeura ropa. Ndichaita kuti pave nezirimi romoto. Unganidzai matanda mubatidze moto mubike zvakanaka nyama mukune muto wayo murege mapfupa atsve. Gadzai poto yacho pamazimbe omoto isina chinhu mukati kuitira kuti ipise, mhangura yayo itsvuke kuitira kuti tsvina yayo yainayo inyongodeke; ngura yayo iroromeswe. Chandakanetera hapana apa, ngura yacho yakanyanyisa haibve nomoto. Ngura yacho kushaya hunhu hwako nokuti ndingadai ndakatokuchenura asi hauna kuzochenurwa kuuipi hwako. Hausi kuzochenurwa kusvikira hasha dzangu pauri dzapera. Ndini Tenzi ndataura! Zvichatoitika ndichazviita! Handisi kuzodzokera shure! Handisi kuzonzwira tsitsi! Handisi kuzodzora mwoyo. Uchatongwa zvinofambiranawo nokuita kwako uye nezviito zvako.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Izwi raTenzi rakauyawo kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu, chinzwaka, ini ndava kukutorera iye paswerameso wako chaiye kamwe kamwe nedenda. Asi iwewe haufaniri kuungudza kana kuhwihwidza kunyange kusvimha misodzi. Tura befu zvisinganzwiki usacheme vakafa. Monerera nguwani yako upfeke shangu dzako mumakumbo. Usafukidze miromo kana kudya chokudya chaparufu.” Saizvozvo ndakataurira vanhu kumangwanani, kumanheru mudzimai wangu achibva afa. Mangwana acho mangwanani ndakaita sezvandakanga ndaudzwa. Ipapo vanhu vakati kwandiri, “Hamutiudzewo here kuti zvamuri kuita izvi zvinorevei kwatiri?” Ini ndakati kwavari, “Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati iti kumba yaIsiraeri zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ndichan'oresa Nzvimbo yangu Inoera, iyo yacho yamunoinzva nayo, iyo paswerameso yenyu iyoyo, pane mwoyo wenyu chaipo. Vanakomana navanasikana venyu vamakasiya vachafa nebakatwa rehondo. Muchaitawo sezvandaita. Hamuchazofukidza miromo yenyu kana kudya chokudya chaparufu. Muchange makapfeka nguwani dzenyu mumusoro, shangu dziri mumakumbo. Hamufaniri kuchema vakafa kana kuhwihwidza. Asi muchangoperezeka muuipi hwenyu muchigomera. Saizvozvi Ezekieri achava chiratidzo kwamuri. Zvaanenge aita ndizvo zvamuchaitawo. Kana izvi zvoitika muchabva maziva kuti ndini Tenzi Mwari. “Iwe mwanakomana womunhu, musi wandichavatorera musimboti wavo, chinovapa rufaro nembiri chacho, paswera meso pavo pane mwoyo wavo chaipo; uyewo vana vavo vakomana navasikana, musi iwoyo munhu anenge apunyuka achauya kwaari kuzokutaurira shoko racho. Musi iwoyo muromo wako uchazaruka kumunhu iyeyo anenge apunyuka, ugotaura, zvokuva chimumumu zvichibva zvapera. Saizvozvo uchave chiratidzo kwavari vagoziva kuti ndini Tenzi.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu chinangana nevaAmoni uporofite wakanangana navo. Iti kuvaAmoni, inzwai shoko raTenzi Mwari. Zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakati tsvatu waro kuNzvimbo yangu Inoera payakan'oreswa uye kunyika yeIsiraeri payakaitwa renje zvaro uye nokumba yokwaJudha payakaenda kuutapwa naizvozvo ndava kukuisai mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti muve vanhu vavo. Vachaita mataga avo pakati penyu vachitoita misha yavo pakati penyu. Vachadya muchero wenyu vachinwa mukaka wenyu. Guta reRabha ndichariita mafuro engamera maguta avaAmoni achiva danga rezvipfuwo. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi nokuti zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakabva marova-rovanisa maoko muchitamba-tambisa makumbo muchifaririra kwazvo nomwoyo woutsinye wokuvenga nyika yeIsiraeri naizvozvo chinzwai, ini ndakusumudziraiwo shamu muruoko rwangu. Ndichakuisai mumaoko edzimwe ndudzi sezvinhu zvakapambwa. Ndichakutsakatisai pakati pamarudzi ndichiita kuti murove mudzinyika. Ndichakuparadzai; ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti Moabhu yakati, ‘Inga vanhu vokwaJudha vakangofanana ava navamamwe marudzi ose wani.’ Naizvozvo ndichaita kuti rimwe divi reMoabhu rizaruke, divi rokumaguta okumuganho wayo, anopa mbiri kunyika iyoyo: anoti Bhetijeshimoti neBhaarimeoni neKiriatiaimu. Ndichaiisa pamwechete nevaAmoni mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti ive yavo kuitira kuti irege kuzomboyeukwazve mukati memarudzi avanhu. Ndichaita zvandatongera Moabhu ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti Edhomu yakatsividza imba yokwaJudha yakaita utsinye chaihwo payakanga ichivatsividza. Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndichasimudzira Edhomu shamhu muruoko rwangu ndichitsakatisa mairi munhu pamwechete nemhuka. Ndichaita kuti isare yava renje zvaro kubvira kwaTemani kusvikirawo kuDhedhani, vachafa nebakatwa. Ndichatsividza Edhomu ndichishandisa vanhu veIsiraeri. Ivo vanofanira kuzoita kuEdhomu zvinoenderana nehasha dzangu zvichiwirirana nokutsamwa kwangu. Ipapo vachaziva kutsividza kwangu.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Zvanzi naTenzi Mwari, “VaFirisitia zvavakatsividza vachitsiva nomwoyo woutsinye hwokuparadza nedaka risingaperi, naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chirega uone ndichasumudzira vaFirisitia shamhu muruoko rwangu ndichirakatisa vanhu veKireti ndichiparadza kumwe kwose kwemahombekombe egungwa. Ndichavatsividza zvakakura kwazvo nokuranga chaiko kune hasha. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi kana ndavatsividza kudaro.” Mugore regumi nechiposhi, pazuva rokutanga romwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti: “Iwe mwanakomana womunhu, guta reTire zvarakati nezveJerusaremu, ‘Hero Suo Guru revechirudzi rapazika, razarukireni regai ndichizvigutsa hangu sezvo raparadzwa kudai,’ naizvozvo Tenzi Mwari ati chinzwa iye zvino ndanangana newe Tire. Ndichakuunzira marudzi akawanda kuzorwisana newe segungwa ramutsa mafungu aro. Vachaparadza tsvingo dzeTire vachiriga pasi nharirire dzaro. Ndichaparadza kubvisa ivhu raro mariri ndichiita kuti rive ruware zvarwo. Tire richava mukati chaimo megungwa richiva nzvimbo zvayo yokuyanikira usvasvi. Ndinodaro nokuti ndini ndataura ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Uye richava sechinhu chokupamba kumarudzi. “Vanasikana varo vari panyika huru vacharakatika kuurayiwa nebakatwa ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi. “Zvavepo ndezvokuti zvanzi naTenzi Mwari chinzwa, ndichaita kuti Tire ivingwe nomumwe wokuchamhembe, Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi, ndimambo wamadzimambo, iyeyo aina mabhiza nengoro dzehondo navarwi vamabhiza nehondo yavarwi vazhinji. “Iye achauraya nebakatwa vanasikana vako vari munyika yomukati. Achakuisira rusvingo rwokukurwisa narwo agokuvakirira nevhu chinenge musana wenzou kurusvingo agokusumudzira denga zvaro renhoo. Achanangisa kwauri iwe kuriridza kwezvombo zvake zvehondo zvinenge hondohwe zvokudhugumurisa tsvingo dzako iwe. Namatemo ake achapaza nharirire dzako. Mabhiza ake achange akawanda zvokuti huruva yawo ichakuputira. Tsvingo dzako dzichazunguzika pamusana poruzha rwavamabhiza nengorowo zvadzo nengoro dzehondo dzamabhiza, paachapinda pamisuo mikuru yenyu somunhu anopinda muguta rapazwa rusvingo. Nematsiko amabhiza ake achatsokodzera migwagwa yenyu yose achauraya vanhu vako nebakatwa Misimboti yako yakasimba iyoyo ichati pasi gwajata. Vachapamba upfumi hwako. Vachakubvutira zvamunoshava nazvo upfumi vachapaza tsvingo dzako vachiwondomorera pasi mizinda yenyu yedzimba, matombo ako nemiti yako zvichanzi mukati memvura bvuva bvuva. Ndichagumisa mimhanzi wenziyo dzako kurira kwezvipendani zvako hakuchazombonzwikazve. Ndichakuita kuti uve ruware rusina chinhu. Uchava nzvimbo zvayo yokuyanikira mimbure hauchazombofa wakavakwazve nokuti ndini Tenzi ndataura.” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari. Tenzi Mwari ari kutaura akanangana neTire kuti nyika dzomumahombekombe megungwa hadzisi kuzondengendeka here nokuriridza kwokuputsika kwako, pachauraiwa vanenge vakuvadzwa mukati mako marakatiswa kuuraya vanhu? Ipapo machinda okugungwa ose achabva pazvigaro zvawo zvouchangamire vagokatanura majasi avo vagobvisa magemenzi avo akarukirirwa. Vachaputirwa nokudedera, vachagara pasi vachiramba vachingodedera vadumbirwa nezvako. Vachakuimbira ngondo vachikuti: “Kubva watonyangarika kudai mumakungwa iwe guta rembiri, waimbova nesimba guru nezvokugungwa iwe navagari vako waivhundutsa nyika dzose dzomukati. Zvino zvitsuwa zvodedera pazuva rokuputsika kwako. Heeka, zvitsuwa zviri kugungwa zvakangaidzika nomupfuuriro wako.” Chikonzero ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakuita kuti usare wava renje zvaro reguta samaguta asina ageremo pandichakuti ndondondo muhwenje hwegungwa, mvura zhinji igokuti fuse fuse. Naizvozvo ndichakukanda pasi pamwechete navanoenda mugomba; kuvanhu vakare. Ndichati ugare munzvimbo yapasi pasi penyika, munzvimbo yamatongo akare-kare pamwechete navanodzika mugomba zvokuti hapana achaita musha mauri kana kuwanawo nenzvimbo mukati menyika yavapenyu. Ndichakusvitsa pamugumo unosiririsa, pako panenge pakuperera, vanhu vachakutsvaka zvako asi hauzowanikwazve.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Zvino iwe mwanakomana womunhu, ungudza pamusoro peTire uti kuTire, guta rigere pokupinda napo mugungwa, mushambadzi wezvoupfumi kumarudzi mazhinji enyika dzokumahombekombe kwegungwa iri zvanzi naTenzi Mwari: “Iwe Tire wakazviti, ndiri tsvarakadenga parunako. Miganhu yako iri pakatikati pegungwa vavaki vako vakaita kuti uve tsvarakadenga parunako. Mapuranga ako ose vakaaita nomusaipurasi wokuSiniri. Vakatora musidhari weRebhanoni kuti vakuitire musimboti wengarava. Mioku yokuBhashani ndoyavakakugadzirira nayo zvokukwasvisa mutumbi wako wengarava vakauita nemipaini yokumahombekombe kweSaipurasi wakanamirirwa nomunyanga wenzou mukati. Rineni yakanyatsorukirirwa yokuIjipiti ndoraiva jira rako rokufambisa ngarava richiita somureza wako. Jira roruvara rwedenga noruvara rwohute rokumahombekombe eErisha ndoraiva denga rayo. Vagari vokuSidhoni nokuArivhadhi ndovaiva vanhu vako vokukwasva nyanzvi dzavarume vaiva mauri ndivo vaifambisa ngarava. Vakuru vakuru vokuguta reGebhari nenyanzvi dzavarume dzeko dzaiva mauri ndichadzinama mumupendero yako. Ngarava dzose dzegungwa navashandi vemo vaiva mauri vachiita mhindu dzokutengeserana. “Pezhia neRudhi nePuti vaivawo muhondo yako savarwi vehondo vachiturika mauri nhoo nenguwani dzesimbi vachikupa mukurumbira. Varume vokuArivhadhi nehondo yako yavarwi vaiva patsvingo dzako kukutenderera uye varume vokuGamadhi vaiva munharirire dzako. Vaiturikawo nhoo dzavo patsvingo dzako kukutenderera vachinyatsoita kuti uve norunako chairwo. “Tarishishi yaifambidzana newe pamusana poupfumi hwako hwakanyanya hwemhando nemhando hunoti sirivha nesimbi noutare hwerata nomutobvu zvavaitsinhana newe nezvako. Javhani neTubhari neMesheki dzaitengeseranawo newe. Vaitsinhana newe uchivapa midziyo yendarira ivo vachipa varanda. Bhetitogarima yaitengeserana newe ichikupa mabhiza, namabhiza ehondo namanyurusi iwe uchivapa zvinhu zvawainge wagadzira. Vanhu veRodhesi vaitengeserana newe. Nyika zhinji dzokumahombekombe dzaitenga kwauri dzichikubhadhara nyanga denzou nomuti weebhoni. Edhomu yaitengeserana newe pamusana pezvinhu zvako zvakawanda. Vaiita mutengano webveni newe, iwe uchivapa zvinhu zvakanaka zvawainge wagadzira ivowo vachikupa matombo anokosha eemeradhi nomushonga woruvara rwohute, namachira akarukirirwa nerineni yakanakisisa nekorari namatombo anokosha eageti. Judha nenyika yeIsiraeri vaitengeserana newe vachiita mutengano webveni newe wokukupa koroni namaorivhi namaonde okutanga nouchi namafuta eorivhi netwokuzora tunonhuwirira twebharimu. Dhamasikusi yaitengeserana newe pamusana pezvinhu zvako zvakawanda nokuda kwoupfumi hwako hwakawanda hworudzi norudzi newaini yokuHeribhoni newuru chena. Dhani neJavhani kubva kuUzari zvichienda mberi vaikuwanisa simbi netunonhuwira twekasia nekaramusi iwe uchivapa zvinhu zvako. Dhedhani yaitengeserana newe machira ezvityaro akutasvisa. Arabhia namadzishe ose eKedhari vaitengeserana newe hwayana, nehondohwe nembudzi. Vashambadzi vokuShebha nokuRaama vaitengeseranawo newe vachiita mutengano webveni newe vachikupa tunonhuwirira twakanakisisa twose twose, iwe uchivapa zvawainge wagadzira, namatombo ose anokosha nendarama. Harani neKane neEdheni, neAshuru neKirimadhi vaitengeserana newe. Ivava vaitengeserana newe hanzu dzakanakisisa, nehanzu dzoruvara rwedenga, namakapeti ana mavara-mavara akarukwa nemikosi netambo dzakakoswa zvakanaka. Izvozvi ndizvo zvavaitengeserana newe. Ngarava dzokuTashishi dzaikutakurira zvinhu zvako zvokutengesa. “Saka wakanga wakati shutu kuzara wakaremerwa kwazvo kutakura mukatikati mawo makungwa. Vakwasvi vako vakaenda newe kumakungwa ana mafungu Mhepo yokumabvazuva yakakuparadza mukatikati memakungwa. Upfumi hwako nezvinhu zvawakagadzira nezvinhu zvoko zvokutengesa, vanhu vako vanoshanda mungarava navanhu vako vanofambisa ngarava namakapenda ako navatengesi vako vezvinhu navarwi vako vose vari mauri navamwe vose vari mauri vanonyura mukati memakungwa pazuva rako rokuparara. “Nyika inodedera pakunzwa mhere inobva kuvafambisi vengarava. Ipapo vakwasvi vose vachatiza ngarava dzavo. Vashandi vomungarava navafambisi vose vengarava vachandomira pamahombekombe egungwa. Vacharidza mhere vachikuchema zvinosiririsa vachizvidira ivhu mumusoro vachiumburuka mudota. “Vanozviveura muparavara vachiitira iwe, vanopfeka masaga vachikuchema nemwoyo wakasuruvara vachiungudza zvinorwadza mwoyo. Mukuridza kwavo mhere kudaro vachaungudza pamusoro pako vachikuchema vachiti: ‘Ndiani chaizvo akamboitwa hweTire akaparadzwa seTire pakati paro gungwa kudaro? Zvinhu zvawainge wagadzira pazvaitutunurwa zvichibva kumakungwa waigutsa marudzi mazhinji, noupfumi hwako hwakanyanya uye neshavo huru youpfumi wakapfumisa madzimambo apanyika. Zvino waparadzwa iwe namakungwa muhwenje yemvura yegungwa; shavo yako youpfumi navashandi vako vose vomungarava vanyura pamwechete newe. Vagari vose venyika dzomumahombekombe megungwa vadumbirwa nezvako uye madzimambo avo vabayikana nokutya, uso hwavo hwadonha. Vemhindu dzokutengeserana mukati mevemarudzi umu vava kukuridzira tsamwa magumo ako ashata hauchazovipo narini wose.’ ” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu iti kujinda reTire, zvanzi naTenzi Mwari: “Pamusana pokuti une mwoyo wokuzvikudza, uchizviti ndiri mwari; ndinogara pachigaro chavamwari; pakati chaipo pamakungwa asi iwe uri munhu zvako asiri Mwari kunyange zvazvo uchifunga kuti uri mungwaru saMwari. Ichokwadi kuti wakangwaraka iwe kupinda Dhanieri hakuna chakavandika kwauri, noungwaru hwako nokunzwisisa kwako wakazviwaniraka upfumi iwe ukazviunganidzira ndarama nesirivha munzvimbo dzako dzaunochengetera upfumi iwe; nouchenjeri hwako hwakadzama mumhindu dzokutengeserana ukawedzera upfumi hwako ukava nomwoyo wokuzvikudza mukupfuma kwako ikoko, nezvo zvanzi naTenzi Mwari, ‘Iwe zvaunozviti mumwoyo mako uri mungwaru saMwari, naizvozvo chirega uone, ndichakuunzira vatorwa pauri, vanhu vakaipa mwoyo pamarudzi ose. Vachaburitsira bakatwa ravo voparadza runako rwoungwaru hwako uye vagosvibisa iyo mbiri yako. Vachakukanda mugomba, uchafa rufu rwokupondwa mukatikati memakungwa.’ “Uchazoramboti ndiri mwari here pamberi pavanokuuraya, iwe uri munhu zvako usiri Mwari izvozvo uri mumaoko mavanokukuvadza? Uchafa rufu rwavasina kudzingiswa uchifira mumaoko mavatorwa nokuti ndini ndataura.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari. Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu ungudza uchichema mambo weTire uti kwaari, zvanzi naTenzi Mwari: “Iwe waiva mucherechedzo wokukwana uzere noungwaru norunako rwakakwana. Mawakanga ugere muEdheni, mumunda waMwari, ibwe rose rakakosha riri chishongo chako pachiti mabwe erubhi neekaneriani netopazi nejasipa needhaimhondi nebheriri neonikisi neesafaya neketekoizi neemeradhi; tumasefa twako twokugadzikira twakanga twakaitwa nendarama nezvimwe zvako zvawakaveza. Pazuva rawakasikwa zvakanga zvatogadzirirwa. Ndakakuisapo hangu nekeribhu rokukuchengetedza ukava pamusoro pegomo rinoera raTenzi. Pakati pemabwe omoto ndipo pawaifamba napo. Wakanga usina chinongo mukuita kwako kubvira panguva yawakasikwa kudzamarara pakuzowanikwa uipi mauri. Mukuwanda kwemhindu dzako dzokutengeserana wakazara utsinye ukazoita chitadzo. Ipapo ndakakukanda pasi sechinhu chakan'ora zvacho kubva pagomo raMwari. Ipapo kerubhu rokuchengetedza rakazokudzinga pakati pamabwe omoto. Wakava nomwoyo wokuzvikudza pamusana porunako rwako; wakaodza ungwaru hwako uchifuririka nomukurumbira wako. Ndakakunda pasi ndikakuisa pachena zvapo panotoonekwawo namamwe madzimambo kuti vakutarise zvavo. Nokunyanyawo kwakanga kwaita kuipa kwako mukushaya kwako nduramo pamhindu dzako dzokutengeserana wakan'oresa Nzvimbo dzako Dzinoera. Naizvozvo ndakatungidza moto mukati mako ukakuroromesa ndikakuita madota zvawo ari pasi mumaziso mevose vaikuona. Vose zvavo vanokuziva mukati memarudzi avanhu, vakadumbirwa nezvako wasvika pamugumo wakaipa uye hauchazovipo narini wose.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu chinangana neSidhoni uporofite wakanangana neguta iroro uchiti: “Zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chinzwa, ndanangana newe iwe Sidhoni. Ndichaonesa mbiri yangu mukati mako imomo. Ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi pandicharitemera chirango charo ndicharatidza kuera kwangu mariri. Ndinodaro nokuti ndichatumira denda kwariri nokudeuka kweropa mumigwagwa yaro. Vanenge vaurayiwa vachati rakata mukati maro nebakatwa rinenge rorirwisa kumativi ose zvawo. Ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.’ “Zvino kana zviri zvemba yaIsiraeri hakuzombovizve norukato runobaya kana munzwa unovakuvadza pakati pavavakagarisana navo vaimbovashora. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi Mwari.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakokorodza veimba yaIsiraeri mukati memarudzi mavakapararira ndichiratidza kuera kwangu mavari mumaziso mendudzi idzodzo, vachazogara munyika yavo yandakapa kuna Jakobho muranda wangu. Ivo vachagara pasina chinovawana mairi; vachavaka dzimba vachisima minda yamagirepisi. Vachagara zvavo pasina chinovawana pandicharanga vavakagarisana navo vose ivo vaya vakambovashora. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi Mwari wavo.” Mugore regumi mumwedzi wegumi pamusi wegumi nechipiri wemwedzi iwoyo izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu chinangana naFarao mambo weIjipiti uporofite wakanangana naye unanganewo neIjipiti yose. Taura uti zvanzi naTenzi Mwari: “Chinzwai ndanangana newe, iwe Farao mambo weIjipiti iwe garanyanya zvaro guru rigere pakati potukova twaro rinotozviti, ‘Rwizi rwangu rweNairi nderwangu ini pano! Ndini inini ndakarwugadzira! Ndichakuti koche koche shaya dzako nezvirauro. Ndichakuisa zvikochekero mushaya dzako ndigoita kuti hove dzomutukova twako dziti name name mumakwande mako imomo. Ndichakuraura kukuburitsa mukati motukova twako pamwechete nehove dzose dzomutukova twako dzacho dzinenge dzakuti namata mumakwande mako. Ndichakukanda mugwenga iwe nehove dzose dzomutukova twako idzodzo, muchati katakata musango zvamo pasina zvokuunganidzwa muchivigwa. Ndatokuitai nyama yezvikara zvesango neyeshiri dzedenga.’ “Ipapo vagari vose venyika yeIjipiti ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi nokuti vanga vari mudonzvo worutsanga waivimbwa nawo nemba yaIsiraeri. Pavakakubata muruoko wakabva watyoka ukabvarura mapfudzi avo ose. Pavakazendama newe, wakabva watyoka ukaita kuti vatyoke musana. Naizvozvo Tenzi Mwari ati chinzwa, ndichaunza bakatwa pauri rigotsakatisa mauri vanhu pamwechete nomhuka nyika yeIjipiti igova renje zvaro risina chinhu. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. “Zvaunoti rwizi rweNairi ndorwangu, uye ndini ndakarwuita, naizvozvo chirega uone, ndanangana newe, ndananganawo notukova twako. Ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive nyika pasina, ive renje zvaro kubvira kuMigidhori zvichikwira kudzamara kuAswani zvichaenda kusvikira pamuganhu weItiopia. Hakuna munhu achatsika nomo norutsoka rwake kana tsiko haro remhuka richidimuradimura nomo. Ichagara kwamakore makumi mana isina munhu. Ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive renje mukati medzimwe nyika uye maguta ayo achiva matongo mukati memamwe maguta akava matongo kwamakore makumi mana. Ndichaparadzira vaIjipiti mukati memarudzi ndichivati mwarara nedzinyika. “Nokuti zvanzi naTenzi Mwari, mushure memakore makumi mana acho, ndichakokorodza vaIjipiti kubva kuvanhu kwavanenge vambopararira. Uye ndichadzosera Ijipiti makomborero ayo, ndigovadzosera kudunhu rePatirosi, dunhu ravo kwavakabva. Ikoko vachava noumambo zvawo husina mukurumbira. Ichava humambo hwokupedzesera chaihwo pane humwe hwose, haizombofa yava pamusoro pamamwe marudzi. Ndichaininipisa zvokuti haichazombotonga zvakare kana mamwe marudzi. Haizombofazve yakava iyo inovimbwa nayo neIsiraeri asi kutoti kudzokera kwairi kunenge kwatova chiyeuchidzo chokuipa kwavo. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi Mwari.” Mugore ramakumi maviri nechinomwe, mumwedzi wokutanga pamusi wechiposhi wemwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu, Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akaita kuti hondo yake irwise Tire zvakaomarara, vanhu vose vakasvuuka musoro, mapfudzi avo akasvauka asi iye nehondo yake havana chavakawana pakurwisa kwavo ikoko. Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chinzwai, ndava kupa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi; achatakura upfumi hwayo; achaitora nokuipamba. Ndiwo uchava muripo wamasoja avo iwoyo. Ndamupa nyika yeIjipiti somuripo wake waakashandira nokuti vakandishandira.’ Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Pazuva iroro ndichaita kuti imba yaIsiraeri ive nesimba uye ndichaita kuti uzaruke muromo pakati pavo. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu porofita uti zvanzi naTenzi Mwari: “Daidzira uchiti, ‘Hero zuva riya nokuti zuva racho rava kusvika. Zuva raTenzi rave pedyo, richange riri zuva rakati gude gude namakuti, nguva yokuparara kwamarudzi avanhu. Bakatwa richaparadza Ijipiti, Itiopia ichawirwa nenhamo, vanenge vaurayiwa muIjipiti vachiti rakata; upfumi hwayo huchaendwa nahwo, ugaro hwayo huchiputswa.’ “Itiopia nePuti neRudhi neArabhia yose neRibhia navanhu venyika dzine chirangano chokubatana vachanziwo nebakatwa pamwechete navo kata kata.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Vanotsigira Ijipiti vachaputsika kuzvikudza kwayo nesimba kuchaderera kubvira kuMigidhori kusvikira kuAswani vachati nebakatwa rakata mukati mayo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Vachasara vava renje rokupedzesera mukati medzimwe nyika dzakava renje uye maguta avo achiva maguta zvawo okupedzesera pakati pamamwe akaparadzwa ndipo pamuchazoziva kuti ndini Tenzi kana ndapisa Ijipiti nomoto vatsigiri vayo vose vakaparadzwa. “Pazuva iroro nhumwa dzichabva kwandiri nengarava dzichindotyisidzira vanhu veItiopia vakavarairwa zvavo. Nhamo ichavawira zuva iroro rokuparara kweIjipiti nokuti hero rouya.” Zvanzi naTenzi Mwari; “Ndichaita kuti mhomho dzeIjipiti padzo padziperere mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi. Iye pamwechete navarwi vake vanachazezesa vacho kumarudzi avanhu vachaunzwamo kuzoparadza nyika iyoyo. Vachaburitsira Ijipiti mapakatwa avo vagozadza nyika yacho navanhu vanenge vaurayiwa. Ipapo ndichaomesa rwizi rweNairi, nyika yacho ndoitengesa mumaoko avanhu vakaipa. Ndichaita kuti nyika iyoyo iparadzwe navatorwa pamwechete nezvinhu zvose zvirimo ini Tenzi ndini ndataura.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Ndichaparadza zvifananidzo zvokunamata ndichigumisa zvifananidzo zvokunamata zviri muguta reMemufisi. Munyika yeIjipiti hamuchafa makaita jinda remo nezvo ndichaisa kutya munyika yeIjipiti. Dunhu rePatirosi ndichariita renje zvaro ndichibva ndabatidza moto kuZoani uye ndichagadza dare guta reTebhesi ndichiranga guta iroro. Ndichavirukira guta rePerusiumu nehasha nhare yeIjipiti ndichirakatisa kuuraya gurusvusvu racho reTebhesi. Ijipiti ndichaitungidza nomoto Perusiumu icharwadziwa zvikuru. Tebhesi ichakoromorwa rusvingo rwayo rugopazwa. Majaya okuOni nokuPibheseti vacharakatiswa nebakatwa vanhukadzi vachaenda kuutapwa. KuTehafunehesi kuchasviba masikati machena pandichaparadzako umambo hweIjipiti uye kuzvitutumadza kwaro nesimba kuchapera rigonzi kwidiba negore. Vanasikana varo vachaenda kuutapwa. Ndizvo zvandichaita kuIjipiti pandichaigadza dare. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.” Mugore regumi nechiposhi, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe remwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu ndaparadza simba roruoko rweIjipiti. Asi tarisa uone hakuna arisunga kuti ripore nokurisunga nebhandeji kuitira kuti risimbe zvokugona kuvheesa bakatwa. Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chiona ndanangana naFarao mambo weIjipiti. Ndichatyora maoko ake ose ari maviri, rwakasimba nerwakambotyoka rwuya. Uye ndichamukandisa pasi bakatwa riri muruoko rwake. Ndichaita kuti vaIjipiti vapararire nomumarudzi avanhu ndichivati mwarara nedzinyika. Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi ndiise bakatwa rangu mumaoko make. Asi ndichatyora maoko aFarao, agombe ari mberi kwake somunhu akuvara zvokufa chaizvo. Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi asi Farao achati maoko regwede. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. Pandinenge ndaisa bakatwa rangu mumaoko amambo weBhabhironi, acharisimudzira nyika yeIjipiti. Ndichaparadza vaIjipiti mukati memarudzi ndichivamwararisa nomudzinyika. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.” Mugore regumi nechiposhi mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga romwedzi iwoyu, izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Mwanakomana womunhu iti kuna Farao mambo weIjipiti nokuhuzhinji hwenyika yeIjipiti: “Ndiani waungafananidzwe naye chaizvo paukuru hwako? SeAsiriaka! Yakanga yakaita somuti womusidhari wokuRebhanoni namapazi anoyevedza mumvuri wesango, wakareba zvikuru kwazvo zvokuti dzu-u kumira mukati megwindingwi chairo resango. Mvura zhinji yakauwanisa zvokudya, mvura yapasi pevhu yakaukudza, tukova twaierera kutenderera pawakanga umire pose pachiita makoronga kumiti yose yesango. Naizvozvo iwo wakachiti dzu-u kureba pamusoro pemiti yose yesango. Mapazi awo akava makuru, matavi awo akareba pamusana pemvura zhinji. Shiri dzose dzedenga dzakaita matendere adzo mumapazi awo, mhuka dzose dzakaberekera vana vadzo pasi pamapazi awo, marudzi ose avanhu makuru akaita musha wawo mumumvuri wawo. Kukura kwawakanga wakaita kwaiyevedza, nomureberowo wakanga wakaita mapazi awo nokuti midzi yawo yaienda kumvura yakawanda. Pamisidhari yaiva mumunda waMwari hapana waiupfuura kureba, kunyange musaipurasi zvawo waimboenzana nawo mapazi awo. Pamapazi, muti iwoyo mupureni hahwaimbopasvika. Hapana muti mumunda waMwari waienzana nawo parunako. Ndakaita kuti uve unoyevedza nezanzwe rokuwanda kwamapazi awo miti yose yomuEdheni, yaiva mumunda waMwari yakauitira shanje. “Naizvozvo, zvanzi naTenzi Mwari, ‘Pamusana pokuti wakarebaka iwe kuita nhungamakore chaiyo mukati megwindingwi resango ukava nomwoyo wokuzvikudza nourefu hwako ihwohwo, naizvozvo ini ndichakuisa mumaoko momumwe ana masimba pakati pamarudzi avanhu, achaita kwauri zvakakodzerana nokuipa kwako. Ndakakurasa ini. Vatorwa, vanhu vorudzi rwakaipisa kwazvo vacharitemera pasi vagorisiya rakadaro. Matavi awo achawira pamakomo nomumapani ese. Uye mapazi awo akatyoka achati kata kata pasi munoyerera nemvura munyika iyoyo. Vanhu vose vapasi pano vachabva mumumvuri mawo vachiusiya. Pamatongo pawo ndipo pachagara shiri dzose dzedenga uye pamapazi pawo paine mhuka dzose dzesango. Zvose izvozvi, kuri kuitira kuti kurege kuva nomuti unokura pedyo nemvura zvokuti unoreba kuti dzu-u mugwindingwi resango, uye kuti parege kuva nomuti unonwa mvura zvokureba saivo nokuti chavo chavatemerwa kufa nokuenda pasi pasi penyika pakati pavanhu pamwechete navanodzika kugomba.’ ” Zvanzi naTenzi Mwari, “Pauchadzika kunzvimbo yavashakabvu, ndichaita kuti uchemwe ndichamisa nzizi dzawo uye mvura zhinji ichamiswa. Ndichapfekedza Rebhanoni nhamo yokuuchema, miti yese yesango ichanava pamusana pawo. Ndichaita kuti marudzi adedere nokuriridza kwokuwa kwawo, pandichaukanda pakadzika munzvimbo yavachakabvu pamwechete navanodzika kugomba. Izvozvo miti yose yomuEdheni inoyevedza yakanakisisa yeRebhanoni yose zvayo inonwa mvura ichanyaradzwa pasi pasi penyika ipapo. Naiyowo ichadzika kunzvimbo yavachakabvu nawo kune vakaurayiwa nebakatwa, vayawo vakaita misha mumumvuri mawo pakati pamarudzi avanhu vachaparara. “Pakati pemiti yomuEdheni, ndianiwo zvake akaita sewe pambiri noukuru? Zvakadaro zvazvo uchadzikiswa pamwechete nemimwe miti Edheni kunzvimbo yapasi pasi. Uchavata mukati mavasina kudzingiswa pamwechete navakauraiwa namapakatwa. Ndizvo zvichamuwana Farao izvi negurusvusvu rake ravanhu.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari. Mugore regumi nechipiri, mumwedzi wegumi nechipiri, pazuva rokutanga romwedzi izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe munhu ungudza pamusoro paFarao mambo weIjipiti uti kwaari, “Unozviti uri shumbaka iwe pakati pamarudzi avanhu. Asi chauri chaicho uri garanyanya romumakungwa. Unoti pindikiti munzizi dzako uchibvongodza mvura namakumbo ako, nzizi dzacho dzichiva bvondwe. Zvanzi naTenzi Mwari, ‘Ndichakukanda mambure avanhu vakawanda ivo vachakukwevai mumambure angu okukukudza, ndichakutii pasi yacha, ndichakukandai pachena zvapo. Ndichaita kuti shiri dzose dzedenga dzimhare pamusoro pako; zvikara zvapasi pose zvizvimbirwe nokudya iwe. Nyama yako ndichaiti katakata pamakomo ndigozadza mapani nezvitunha zvako. Ndichati nyika neropa rako rinoerera kopokopo kusvika kunyange kumakomo, makoronga achazara neropa rako. Pandinenge ndakutsakatisa ndichakwidibira denga ndichisvibisa nyenyedzi; zuva ndicharikwidibira negore. Mwedzi unenge usisape chiedza. Zviedza zvose zvedenga ndichazviti ndo-o pauri ndigoisa rima panyika yako.’ Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Ndichadzongodza mwoyo yavanhu vakawanda. Pandinokuendesa kuhutapwa mukati mevechirudzi kunyika dzausingazivi. Ndichaita kuti vanhu vazhinji vadumbirwe nezvako; madzimambo avo achadedera pamusana pako. Kana ndovheyesa bakatwa rangu kwavari vachangwenda nguva dzose mumwe nomumwe achityira upenyu hwake musi wazvichakuperera.” Nokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Bakatwa ramambo weBhabhironi richakuvinga. Ndichaita kuti vazhinji venyu vafe nebakatwa ravanesimba vose, vari vanhu vanotyisa kwazvo mukati memarudzi. “Vachapedza kuzvikudza kweIjipiti, vose zvavo nokuwanda kwavo vachaparara. Mhuka dzavo dzose ndichadziparadza panyasi pemvura zhinji. Hapana rutsoka rwomunhu ruchaibvongodzazve kana matsiko emhuka dzavo dzichaibvundura. Ipapo ndichachenesa mvura yavo, nzizi dzavo ndichidziita kuti dzierere samafuta. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Kana ndaita nyika yeIjipiti renje; zvose zvizere mairi zvabviswa, vose vagari vomo ndavauraya, ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. “Urwu ruchava rumbo rwokuungudza ruchaimbwa navakadzi vamarudzi vachiimbira Ijipiti negurusvusvu ravanhu vayo.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Mugore regumi nechipiri, mumwedzi wokutanga pazuva regumi nerechishanu romwedzi izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu ungudza kuchema gurusvusvu ravanhu veIjipiti uvaendese pasi pasi, iyo navanhukadzi vamarudzi makuru makuru kunyika yapasi pasi kuna vakadzika kugomba. “Ndiani chaizvo waunokunda parunako iwe, chidzika undoradzikwa pamwechete navasina kudzingiswa. “Vachafa mukati mavanouraiwa nebakatwa; Ijipiti pamwechete negurusvusvu rayo ravanhu. Munzvimbo yavachakabvu imomo, vakuru vakuru vokuhondo vachataura nezveIjipiti navatsigiri vayo vachiti, ‘Vazoburukawo, varere navasina kudzingiswa uye navanhu vakaurayiwa nebakatwa rehondo.’ “Asiria irikowo negungano rayo rose, yakakomberedzwa namakuva avo, vose zvavo vakauraiwa vakarakatiswa nebakatwa rehondo. Vana makuva akaitwa kwokupedzesera chaiko kwegomba uye gungano rayo rakatokomberedza makuva ayo. Vose vakafa vakaurayiwa nehondo yebakatwa iyo yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu. “Eramu irikowo negungano rayo rose rakakomba guva rayo, vose zvavo vakauraiwa vakarakatiswa nebakatwa rehondo vanyakudzika pasi pasi penyika vasina kudzingiswa, iyo yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu, vachipindwa nokunyara pamwechete navanoburukira kugomba. Vakamupa uriri mukati mavakaurayiwa nehondo yebakatwa pamwechete negurusvusvu rayo rose ravanhu; makuva ayo akaikomberedza. Vose vasina kudzingiswa vakaurayiwa nehondo yebakatwa nokuti yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu. Vachanyara pamwechete navanhu vanoenda kugomba vaiswawo mukati mavakaurayiwa. “Mesheki naTubhari dzirikowo negurumwandirawo radzo rose, makuva avo akadzikomberedza, vose vasina kudzingiswa vakaurayiwa nehondo yebakatwa nokuti vaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu. Asi havana kuradzikwa pamwechete namagamba apasichigare vakadzika kunzvimbo yavachakabvu vaine zvombo zvavo zvehondo. Vakanga vakatsamira kumusoro mapakatwa avo, nhoo dzavo dziri pamapfupa avo nokuti kutya magamba avanhu kwakanga kwava munyika yavapenyu. Asi iwe uchapwanyiwa uchizovata pakati pavasina kudzingiswa pamwechete navakauraiwa nehondo yebakatwa. “Edhomu iriko namadzimambo namachinda ayo ose, vakaradzikwa pamwechete navasina kudzingiswa naavo vanodzika mugomba kunyange vaive nesimba, vakaradzikwa pamwechete navakauraiwa nebakatwa rehondo. “Machinda okuchamhembe variko vose nevekuSidhoni vakadzika pamwechete vachinyara navakauraiwa pamusana pokutyisidzira kwavakaita nokuda kwesimba ravo. Vakaradzikwa vasina kudzingiswa vari pamwechete navakauraiwa nebakatwa rehondo. Vakanyara pamwechete navanhu vanoenda kugomba. “Kana Farao avaona zvichamunyaradza pamusoro pegurusvusvu rose ravanhu vake, iye Farao navarwi vake vose vakafa nebakatwa rehondo. Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari, nokuti akambozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu, naizvozvo acharadzikwa mukati mavanhu vasina kudzingiswa, pamwechete navakauraiwa nehondo yebakatwa, iye Farao negurusvusvu rake ravanhu.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari. Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu, taurira vanhu vokwako uti kwavari, ‘Ini ndikauisa hondo yebakatwa munyika, ivo vanhu vakatora munhu pakati pavo vakamuita nharirire. Kana iye akaona hondo yebakatwa ichiuya munyika, akaridza hwamanda achiyambira vanhu, munhu anenge anzwa kurira kwehwamanda akarega kuzvichenjererawo zvake, hondo yebakatwa ikamutora, munhu iyeyo rufu rwake nderwokuzviparira. Akanzwa kurira kwehwamanda asi haana kuzvichenjerera; rufu rwake nderwokuzviparira. Dai akazvichenjerera angadai akazviponesa upenyu. Asi kana nharirire ikaona bakatwa richiuya, munhu iyeyo akarega kuridza hwamanda, zvokuti vanhu vanosara vasina kuyambirwa, hondo yebakatwa iya youya yotora mumwe wavo. Munhu iyeyo akatorwa muhuipi hwake; ini mhosva yake ndichaiisa panharirire iyoyo.’ “Saizvozvo iwe mwanakomana womunhu, ndakuita nharirire yemba yokwaIsiraeri. Ukangonzwa shoko pamuromo pangu unofanira kupa vanhu yambiro inobva kwandiri. Kana ndikati kumutadzi iwe muipi uchafa chete, iwe worega kutaurira akaipa kuti apinduke pauipi hwake, muipi iyeyo achafa muuipi hwake asi mhosva yorufu rwake ndichaiisa pauri. Asi ukayambira akaipa kuti apinduke pauipi hwake asi iye worega zvake kupinduka panzira yake, achafira muuipi hwake asi iwe unenge wazviponesa upenyu. “Iwe mwanakomana womunhu taurira imba yokwaIsiraeri kuti, ‘Imi makati kukanganisa kwedu nezvitadzo zvedu zviri patiri, takagara nazvo. Torarama sei?’ Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, handifarire rufu rwomutadzi asi kuti mutadzi apinduke panzira yake ararame. Tendeukai, tendheukai panzira dzenyu dzakaipa, ko munodirei kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri. Iwe mwanakomana womunhu, taurira vanhu vokwako kuti, ururami hwomunhu mururami haugoni kumuponesa kana akapara chitadzo. Kutadza kwomutadzi hakusiriko kunomuputsira pasi kana akapinduka kuuipi hwake. Mururami haagoni kurarama noururami hwake kana atadza. Kunyange ndikati kumunhu wakarurama achararama, zvino iye wovimba noururami hwake wondotadza zvake, hapana zvakarurama zvaakaita zvinozomborangarirwa. Achafa muuipi hwaanenge aita. Uyewo kunyange ndikati kumunhu akaipa unofanira kutofa asi iye opinduka kuchivi chake oita zviri pamutemo zvakarurama, ngatitii muipi anodzorera rubatso, achidzorerawo zvaanenge apamba, achitevedzawo mutemo wehunhu asingaiti chitadzo anofanira kuti atorarama, haafaniri kufa. Hapana chitadzo chake chicharangarirwa kana kuchipirwa mhosva. Anenge aita zviri pamutemo uye zvakarurama. Anofanira kurarama. “Asi vanhu vokwako vanoti nzira dzaTenzi hadzina kururama, nzira dzavo dziri idzo dzisina kururama. Kana mururami akapinduka paururami hwake oita zvakaipa, achafa pamusana paizvozvo. Kana mutadzi akapindukawo pakuipa kwake, akaita zviri pamutemo nezvakarurama, anofanira kurarama pamusana paizvozvo. Asi imi munoti, ‘Nzira dzaTenzi hadzina kururama.’ Imi imba yaIsiraeri, ini ndichatonga mumwe nomumwe wenyu maererano nezviito zvake.” Mugore regumi nechipiiri rokunge vanhu taendeswa kuutapwa, mumwedzi wegumi pazuva rechishanu racho romwedzi, mumwe murume akanga apunyuka kuJerusaremu akauya kwandiri akati, “Guta rakurirwa.” Simba roruoko rwaTenzi rakanga riri pandiri mauro acho munhu uya akatiza hondo asati asvika. Panguva yaakazosvika Mwari akanga atozarura muromo wangu mangwanani. Saizvozvo muromo wangu wakazaruka, ndakanga ndisisiri chimumu. Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe Mwanakoamana womunhu, vagari venzvimbo idzi dzave matongo munyika yeIsiraeri vanoramba vachiti, ‘Abhurahamu aingova munhu mumwechete asi nyika iyi yaiva yake. Asi isu takatowanda, saka nyika yakapiwa kwatiri kuti ive yedu.’ Naizvozvo iti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari munodyaka imi nyama ineropa muchanamata zvifananidzo zvokunamata, muchiuraya vanhu, ndimi mungaite kuti nyika ive yenyu here? Munovimbaka namapakatwa imi, muchiita zvinosemesa mumwe nomumwe wenyu achin'oresa mukadzi womumwe. Ndimi mungati nyika ive yenyu here? Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, ivo vari mumatongo ivavo vachauraiwa nehondo yebakatwa. Vanenge vari musango ndichavapa kuzvikara vadyiwe nezvikara. Vanenge vari munhare kana mumapako vachafa nedenda. Ndichaita kuti nyika ive renje risina chinhu, kuzvikudza kwavo nesimba zvipere. Makomo eIsiraeri achava renje zvokuti hapana anozopfuura nomo. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi, pandinenge ndaita kuti nyika iyoyi ive renje risina chinhu pamusana pezvose zvandisingadi zvavakaita. “Asi kana zviri zvako, iwe mwanakomana womunhu, zvavanhu vanokunyeya pamadziro edzimba napamisuo yedzimba vachitaurirana mumwe nomumwe vachiti douya unzwe shoko riri kubva kuna Tenzi, izvozvi vachauya kwauri sokuuya kunongoita vanhu, vogara mberi kwako savanhu vangu, vachiteerera zvauri kutaura asi havambozviita. Zviripo ndezvokuti vanoratidza rudo rukuru zvepamuromo chete asi mwoyo wavo uri pane zvavangawane chete. Tarisa uone, iwe wakaita somunhu anoimba dzimbo dzorudo nezwi rakanakisa uchiridza chaunoridza. Nokuti vanonzwa zvaunotaura asi havazviiti. Kana izvozvi zvaitika—kuitika zvichatoitika—ipapo ndipo pavachaziva kuti muporofita akanga ari pakati pavo.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu porofita wakanangana navafudzi veIsiraeri, porofita uti kwavari, kuvafudzi ivava uti, zvanzi naTenzi Mwari, ‘Nhaimi vafudzi veIsiraeri, imi munozvifudza zvenyu. Vafudzi havafaniri kufudza hwai here?’ Munodyaka imi mafuta muchizvipfekedza zvenyu newuru, muchiuraya zvenyu hwayana dzakakodzwa asi kufudza hwai musingafudzi. Dzakarukutika hamuna kudzisimbisa, dzinorwara hamuna kudzirapa, dzakatyoka makumbo hamuna kudzisunga kasekete, dzinotetereka hamuna kudzidzora, dzakarasika hamuna kudzitsvaga. Uye makadzitonga nechisimba nehasha. Naizvozvo dzangopararira zvadzo pamusana pokuti pakanga pasina mufudzi dzikava zvadzo chokudya chezvikara zvose zvesango. Hwai dzangu dzakapararira, dzakateterekera mumakomo mose nomuzvikomo zvose zvirefu. Hwai dzakapararira nenyika yose dzisina anodzironda kana kudzitsvaka. “Naizvozvo imi vafudzi chinzwai shoko raTenzi. Zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, pamusana pokuti hwai dzangu dzakava zvadzo nyama, hwai dzangu dzakava chokudya chezvikara zvose zvesango pamusana pokuti pakanga pasina mufudzi uye pamusana pokuti vafudzi vangu havana kutsvaka hwai dzangu asi vafudzi vakatozvifudza ivo pachavo asi hwai dzangu havana kudzifudza, naizvozvo imi vafudzi chinzwai shoko raTenzi; zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chionai ndanangana navafudzi. Wandichabvunza wacho ndivo vafudzi. Ndichavamisa kufudza hwai dzacho zvokuzvifudza ivo vafudzi zvichapera. Ndichanunura hwai dzangu pamiromo yavo kuitira kuti dzirege kuva chokudya chavo.’ “Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, chionai, ini iyeni pachangu ndini ndicharonda hwai dzangu ndidzitsvake. Sezvinongoita mufudzi anotsvaka hwai dzake kana dzimwe dzapararira ndizvozvo zvandichaita kutsvaka hwai dzangu. Ndichadzinunura munzvimbo madzakapararira, pamusi wamakuti nerima rakati kwirindindi. Ndichadziburitsa mukati memarudzi ndichidzikokorodza mudzinyika uye ndichadziunza munyika yadzo. Ndichadzifudzira mumakomo eIsiraeri nomuzvitubu zvemvura nomunogara vanhu mose zvamo munyika iyoyi. Ndichadzifudzira pamafuro akanaka uye napamusoro pamakomo marefu eIsiraeri pachange pari pamafuro adzo. Imomo dzicharara mumafuro akanaka, dzichifura mumafuro chaiwo manyoro mumakomo eIsiraeri. Ini ndini ndichafudza hwai dzangu, ndini ndichadzirarisa pasi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Dzinenge dzarasika ndichidzitsvaka ndichadzora dzinenge dzatetereka, dzinenge dzakuvara ndichidzisunga kasekete, dzinenge dzarukutika ndichidzisimbaradza. Asi dzakakora nedzakasimba ndichadzitarisa ndichidzifudza noruenzaniso. “Kana zviri zvenyu imi danga rangu, zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ini ndichatonga pakati pehwai nehwai napakati pehondohwe nezvikotora. Hazvikwane here kwamuri kuti mufure mumafuro akanaka zvamunobva matsokodzera zvenyu mafuro mamwe ose netsoka dzenyu? Hazvikwane here kwamuri kuti mumwe mvura yakachena, zvamunobva mabvongodza imwe yose namakumbo enyu? Hwai dzangu dzinofanira kudya zvamunenge matsokodzera netsoka dzenyu nhai, dzichinwa mvura yamunenge mabvongodza henyu namakumbo enyu? “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari kwavari, chinzwai, ini iyeni ndichatonga pakati pehwai yakakora nehwai yakaonda. Imi zvamunosairira norutivi nebendekete muchibaya ndonda dzose nenyanga dzenyu kusvikira dzachiti mwarara kunze, ndichanunura danga rangu hadzizovizve nyama yamagora, ndichatonga pakati pehwai nehwai. Ndichadziisira mufudzi mumwechete. Achadzifudza, iye muranda wangu Dhavhidhi. Iyeyo ndiye achava mufudzi wadzo. Ini Tenzi ndini ndichava Mwari wavo, muranda wangu Dhavhidhi ariwo jinda pakati pavo. Ini Tenzi ndini ndazvireva. Ndichaitirana navo chitenderano chorugare ndigobvisa munyika zvikara zvesango kuitira kuti dzigozogara hadzo murenje pasina chinodziwana dzichirara zvadzo mumasango. “Ndichaita kuti idzo nenharaunda yapachikomo changu zvive chikomborero. Ndichatumira mvura inonaya nomwaka wayo. Mvura yacho inonaya ichava chikomborero. Izvozvo miti yomusango ichabereka michero yayo, nyika ichaberekawo michero yayo, vachagara pasina chinovawana. Vachaziva zvavo kuti ndini Tenzi pandichatyora zvikei zvejoko ravo ndichivanunura mumaoko mavanhu vanovaita varanda. Havachazovizve nyama yemagora kumarudzi avanhu kana kuparadzwa nemhuka dzomunyikamo. Vachagara havo pasina chinovawana pasinawo chinovatyisa. Ndichavaita kuti vave nenzvimbo yokurima ine mukurumbira zvokuti havazombopararizve neshangwa yenzara munyika imomo kana kuzonyarazve nokusveeredzwa namarudzi. Ndipo pavachaziva kuti ini Tenzi, Mwari wavo ndinavo uye kuti ivo vemba yaIsiraeri, vanhu vangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Imimi ndimi hwai dzangu, hwai dzomumafuro angu. Iniwo ndini Mwari wenyu” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu, zvino chinangana neGomo reSeiri uriporofite uchiti kwariri: Zvanzi naTenzi Mwari chiona, ini ndanangana newe iwe Gomo reSeiri. Ndichakusumudzira shamhu ndichikuita kuti uve renje zvaro risina chinhu. Ndichaita kuti maguta ako asare ava matongo uve renje zvaro ugozoziva kuti ndini Tenzi. Iwe zvawakava nedaka risingaperi mumwoyo ukaurayisa vanhu veIsiraeri nehondo yebakatwa panguva yokutambudzika kwavo, panguva yokurangwa kwavo kwokupedzisira. Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chenyu chavapo iropa, hezvino ndakadai, ropa richakupfukirai nokuti imi mune mhosva yokudeura ropa, nezvo ropa richakupfukirai. Ndichaita kuti kugomo reSeiri kuve renje risina chinhu, ndichadzivisa vose vachapfuura nemo. Mumakomo ayo ndichamuzadza nezvitunha zvayo uye muzvikomo zvako nomumapani ako uye mumakoronga ako vakauraiwa nehondo yebakatwa vachati imomo ririri. Ndichakuita renje rinogara rakadaro, magutawo ako haachazogarwa navanhu. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi. “Pamusana pokuti unotika iwe, marudzi avanhu maviri aya nenyika mbiri idzi zvichava zvangu uye tichazviita kuti zvive zvedu, kunyange zvazvo Tenzi aivamo, naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, ndichaita kwauri zvinoenderanawo nehasha neshanje zvawakaratidzawo kwavari uye ndichazvizivisa kwamuri pandinenge ndava kukutongai pamusana poruvengo rwamunarwo kwavari. Ndipo pauchaziva kuti ini Tenzi ndakanzwa zvose zvokushora kwawakaita makomo eIsiraeri uchiti aitwa renje zvaro, aiswa mumaoko medu kuti tiaparadze. Iwewe wakatozvitutumadzawo kwandiri nomuromo wako ukaita pamuromo kwazvo kwandiri. Ndakazvinzwa. Zvanzi naTenzi Mwari, kuitira kuti pasi pano pose papembere kufara ndichakuita renje. Sokufarira kuitwa renje kwakaita nhaka yemba yeIsiraeri, ndozvandichaitawo kwauri uchava renje iwe Gomo reSeiri neEdhomu yose, yose zvayo. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.” “Iwe mwanakomana womunhu porofita wakanangana namakomo eIsiraeri uti, imi makomo eIsiraeri inzwai shoko raTenzi, zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti muvengi akati nezvako, ‘Hekanhi waro, nzvimbo dzapasichigare dzakatunhumara dzavawo dzedu.’ Saka chiporofita uchiti zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti, hongu, pamusana pokuti vakaita kuti uve renje vakakupwanya kumativi ose zvokuti makave mumaoko amamwe marudzi ose ukava pamiromo yavanhu vachikureva, naizvozvo imi makomo eIsiraeri chinzwai shoko raTenzi Mwari. Zvanzi naTenzi kumakomo nokuzvikomo nokumakoronga nokumapani uye kumarenje asina chinhu nokumatongo amaguta ava nyama zvayo yamagora nechiseko zvacho kumamwe marudzi avanhu vomunharaunda. “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndiri kutaura izvi ndiine shanje chaiyo kumamwe marudzi nokuEdhomu yose vakazvipa nyika yangu kuti ive yavo vachitopembera kufara nomwoyo wose vachishora zvakanyanya kuti vaiite yavo vaipambe. “Naizvozvo chiporofita wakanangana nenyika yeIsiraeri uti kumakomo nokuzvikomo nokumakoronga nokumapani Tenzi Mwari ari kuti, chinzwai ndiri kutaura ndiine shanje nehasha nokuti makanyara nokushorwa namarudzi. Saka zvanzi naTenzi Mwari, ndinosimudza ruoko rwangu ndichipika kuti marudzi ose ari munharaunda menyu ndivo vachanyara. Asi imi makomo eIsiraeri, mapazi enyu achatungira mugoberekera vanhu vangu veIsiraeri muchero wenyu nokuti vachadzokera kumusha iye zvinouno nokuti, chionai, ini ndiri kudivi kwenyu uye ndichakucheukai, mucharimwa mugodyarwa. Ndichaitawo kuti mauri vanhu vatekeshere, imba yose yaIsiraeri, yose zvayo. Maguta achagarwa navanhu nenzvimbo dzerenje dzichavakwa misha. Uye ndichaita kuti vanhu nemhuka zvitekeshere mamuri zviberekane zviwande. Ndichakonzera kuti vanhu vagare mamuri sapakutanga uye ndichakuitirai zvakanaka zvakawanda kupinda kare. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi. Ndichaita kuti vanhu vafambe pamuri, ivo vangu vaIsiraeri, ivo vachakuita nyika yavo, iwe uchava nhaka yavo. Hauzoita kuti vafirwe navana zvakare. Zvanzi naTenzi Mwari pamusana pokuti vanhu vanoti kwamuri anodya vanhu uye kuti unokonzera kuti rudzi rwavanhu vako vafirwe navana. Ipapo zvokudya vanhu hauchazviitazve kana zvokukonzera kuti rudzi rwavanhu vako vafirwe navanazve, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Handichakurega uchinzwa zvokushorwa namarudzi uye hauchazonyadziswa navanhu. Hauzokonzera rudzi rwako kuti rwugumburwe.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “mwanakomana womunhu imba yokwaIsiraeri payaigara munyika mayo yakain'oresa nenzira dzavo nezviito zvavo. Kwandiri, maitiro avo akanga akaita sokun'ora kwomukadzi anenge achitevera saizvozvo ndakavavirukira nehasha pamusana peropa ravakadeura munyika, uye pamusana pezvifananidzo zvokunamata zvavakain'oresa nazvo. Ndakavamwararisa mukati memarudzi vakabva vatiwo mwarara mukati medzinyika. Ndakavaranga zvakaenzanirana namaitiro avo. Pavakaenda mumarudzi, kwose kwose kwavakasvika vakan'oresa zita rangu rinoera paizonzi navanhu ndivoka ava vanhu vaTenzi asi vakabuda munyika make imomo. Asi ini ndakaita hanya nezita rangu rinoera rakan'oreswa nemba yaIsiraeri mukati memarudzi kwavakaenda. “Naizvozvo taurira imba yaIsiraeri kuti zvanzi naTenzi Mwari zvandavakuita handisi kuitira imi vemba yaIsiraeri asi pamusana pezita rangu rinoera ramakan'oresa mukati memarudzi kwamakaenda. Ndicharatidza kuyera kwezita rangu guru rakan'oreswa mukati memarudzi, ramakan'oresa iyemi mukati mavo. Marudzi achaziva kuti ndini Tenzi, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Ipapo ndinenge ndazviita nemamuri ndichiratidza kuyera kwangu ivo vachiona. Chiripo ndechichi chokuti ini ndichakubvisai mumarudzi ndigokukokorodzai kubva munyika dzose ndigokuuisai kunyika yenyu. Ndichakusasai mvura yakachena muchibva machenurwa kun'ora kwenyu kwose. Ndichakuchenurai kuzvifananidzo zvenyu zvokunamata. Ndichakupai mwoyo mutsva ndigoisa mamuri mweya mutsva. Ndichabvisawo mamuri mwoyo wedombo ndichikupai mwoyo wenyama. Ndichaisa mweya wangu mamuri, ndigoita kuti mutevere mirawo yangu nokuchengeta zvirewo zvangu. Muchagara munyika yandakapa kumadzibaba enyu, muchava vanhu vangu ini ndichava Mwari wenyu. “Ndichakununurai kune zvose zvinokun'oresai, ndichati kuuye mbeswa, dziwande uye handizokupai nzara. Ndichaita kuti michero yemiti nezvirimwa zvomumunda zviwande kuitira kuti murege kuzonyara pakati pamarudzi nenhamo yenzara. Ndipo pamuchayeuka maitiro enyu akaipa nezviito zvenyu zvisina kunaka. Muchazvisema pamusana pouipi hwenyu nezviito zvenyu zvinosemesa. Zvandinenge ndichiita ndinenge ndisingaitire imi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Zvizivei izvozvo. Nyaraiwo, munyarewo nezviito zvenyu imi vemba yaIsiraeri.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Pazuva randichakuchenurai kuuipi hwenyu hwose ndichaita kuti maguta agarwe navanhu. Matongo achavakwazve. Nyika yerenje icharimwa panze pokuva renje kwayaive sokuonekwa kwayaiitwa navapfuuri. Vachati nyika yaive renje yaita sebindu reEdheni. Maguta akanga aparadzwa akasiiwa ava matongo asina chirimo ava kugarwa navanhu uye atova norusvingo. Ipapo marudzi anenge asara munharaunda yenyu achaziva kuti ini Tenzi ndini ndakavakazve maguta iwayo ndikarima maive renje. Ndini Tenzi ndazvitaura uye ndichazviita.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Izvozvi izvi ndichati vemba yaIsiraeri vandikumbire kuti ndiwanziridze vanhu sedanga rezvipfuwo. Sezvinongoita matanga ezvipfuwo zvechibayiro, samatanga ezvipfuwo muJerusaremu pamazuva makuru akatemwa. Ndizvo zvichaita maguta aiva matongo kuzara navanhu. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.” Ruoko rwaTenzi rwakava pandiri. Akandiburitsa nesimba raMweya waTenzi akandondiisa mubani, rakanga rizere namapfupa. Akandifambisa mukati mawo kutenderera, wonei akanga ari hungwandagwanda kuwanda mubani imomo uye akanga akati papata kwazvo kuoma. “Akanditi nhai mwanakomana womunhu mapfupa aya angava mapenyu here?” Ini ndakati, “Imi Tenzi Mwari ndimi munoziva.” Akanditizve porofita kumapfupa iwaya uti kwaari, “Imi mapfupa akaoma inzwai shoko raTenzi. Zvanzi naTenzi Mwari kumapfupa aya, chinzwai, ndichapinza mweya mamuri mugorarama. Ndichaisa marunda pamuri, ndichaitawo kuti nyama ive pamuri ndikuputirei neganda ndigokufemerai mweya mamuri muchiva vapenyu. Muchabva maziva kuti ndini Tenzi.” Saizvozvo ndakaporofita sokuudzwa kwandakanga ndaitwa. Pandaiporofita kudaro pakaita ruzha, pakave nokukwacharika. Mapfupa achienda kundobatana pamwechete, pfupa richienda pane rimwe pfupa raro. Ndakati tarisei onei ave namarunda uye ava nenyama, aputirwa neganda. Asi akanga asina mweya. Akazonditi porofita kumweya, mwanakomana womunhu, porofita uti kumweya, zvanzi naTenzi Mwari, “Iwe mweya uya uchibva kumativi mana ufemere pane vakauraiwa ava kuti vave vapenyu.” Saizvozvo ndakaporofita, sokuudzwa kwandanga ndaitwa, mweya ukapinda mavari vakava vapenyu, vakamira namakumbo avo ikava hondo huru huru yavanhu. Zvino akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu mapfupa iwaya ndiyo imba yose yaIsiraeri; onaka kuti vanoti mapfupa edu aoma chitarisiro chedu chapera uye taparara isu. Naizvozvo porofita uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari chinzwai, imi vanhu vangu, ndavakuzozarura makuva enyu ndikumutsei mumakuva enyu, ndikuunzei kumusha kwenyu kunyika yeIsiraeri. Ndipo pamuchaziva, imi vanhu vangu, kuti ndini Tenzi pandichazarura makuva enyu ndichikumutsai mumakuva enyu. Ndichaisa mweya wangu mamuri muchiva vapenyu. Ndichakuisai munyika menyu, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi ndataura uye ndini ndazviita.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu tora tsvimbo unyore pairi kuti: “VokwaJudha navanhu vokwaIsiraeri vavanofambidzana navo. “Wozotorawo imwe tsvimbo unyorewo pachiri kuti: “VokwaJosefi, (tsvimbo yekwaEfuremu) navose vemba yokwaIsiraeri vavanofambidzana navo. “Unodzibatanidza pamwechete kuita tsvimbo imwechete kuti dzive chinhu chimwechete muruoko rwako. Vanhu vako kana vazokuti hamungatitaurirewo zvamunoreva nezvizvi, uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ndava kuda kutora tsvimbo yokwaJosefi iri muruoko rwevokwaEfuremu mumadzinza okwaIsiraeri vanofambidzana naye. Ndichaibatanidza netsvimbo yevokwaJudha kudziita tsvimbo imwechete kuitira kuti dzive chinhu chimwechete muruoko rwangu. Tsvimbo dzauchanyora padziri padzinenge dziri muruoko rwako ivo vakatarisa nameso avo ipapo iti kwavari, Zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai ndichatora vanhu veIsiraeri pakati pamarudzi kwavakaenda ndivakokorodze kumativi ose ndichivauyisa kunyika kwavo chaiko. Ndichavaita kuti vave rudzi rumwechete munyika iyoyo mumakomo eIsiraeri uye vose zvavo vachatongwa namambo mumwechete. Havachazovezve marudzi maviri uyewo kana kuzombove noumambo huviri hwakaparadzana. Havazombozvin'oresazve nezvifananidzo zvavo zvokunamata nezvinhu zvavo zvinosemesa kana nekai zvako kezvikanganiso zvavo. Asi kutoti ini ndichavanunura mune zvokudzokera shure mavakadai kupara chitadzo. Ndichavachenurawo ivo vagova vanhu vangu. Ini ndichava Mwari wavo. “Muranda wangu Dhavhidhi achange ari mambo wokuvatonga uye vose vachava nomufudzi mumwechete. Vachatevedza mirao yangu vachiteerera mitemo yangu. Vachagara havo munyika iyoyo yandakapa kumuranda wangu Jakobho ikagarwawo namadzibaba enyu. Ivo navana vavo navana vavana vavo, vachagara imomo narini wose uyu muranda wangu Dhavhidhi ndiye achava ishe wavo narini wose. “Ndichaitirana navo chitenderano chorugare chichava chitenderano chokugara nokugara. Ndichavakomborera ndigoita kuti vawande uye ndichaisa Nzvimbo yangu Inoera pakati pavo narini wose. Ndichaita musha wangu mukati mavo uye ndichava Mwari wavo, ivo vachavawo vanhu vangu. Ndipo pachazoziva vemarudzi kuti ini Tenzi ndini ndinoeresa Isiraeri, Nzvimbo yangu Inoera painenge iri pakati pavo narini wose.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu chitarisana naGogu wokunyika yokwaMagogu, iye muchinda mukuru wokuMesheki nokuTubhari uporofite kwaari uchiti, zvanzi naTenzi Mwari, chinzwa, ndanangana newe, iyewe Gogu muchinda mukuru wokuMesheki nokuTubhari. Ndichakupishinutsa ndikuise zvirauro mushaya dzako. Ndichakuunza nehondo yako yose, namabhiza navatasvi vacho vose zvavo vakapakata zvombo zvehondo zvinenge zviri gurumwandira guru ravanhu vose vaine nhoo huru nediki vachivhevhetesa mapakatwa, vePezhia neItiopia neRibhiya vanavowo vose vane nhoo neheremendi uye Gomera nemhomho dzake dzese neBhetitogarima vekwokupedzesera chaiko kuchamhembe nemhomhowo dzake dzose, gurusvusvu chairo raunenge unaro. Gadzirira ugare wakagadzirira iwe nehondo yevarwi yawakaunganidzana nayo, iyewe uve ndiwe wokuvachengetedza. Mushure memazuva mazhinji uchataurirwa zvaunofanira kuti uite, mushure memakore achauya uchandorwisa nyika inenge yambozororawo hondo, nyika yavanhu vanenge vakokorodzwa kubva kumarudzi akawanda mumakomo eIsiraeri yainge yava renje rokugara rakadaro. Vanhu vayo vakakokorodzwa kubva kumarudzi, pari zvino votogarawo zvavo vasina chinovawana vose zvavo. Uchauya uchisvika sedutu remhepo uchinge guti raputira nyika, iwewe nemhomho dzako uine gurusvusvu ravanhu.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Nezuva iroro uchapindwa nepfungwa mumwoyo mako ugoronga mano akaipa. Uchati regai ndiende kundorwisa nyika ine misha iri pachena zvapo ndichingoyerekana ndasvikira vanhu vakazvigarira havo vose vagere vasina rusvingo kana zvihuri kunyange misuo mikuru kundopamba zvinhu nokutakura zvinhu zvokupamba nokurwisa matongo ava kugara vanhu navanhu vaya vakakokorodzwa kubva kunamamwe marudzi avanhu vane mombe nezvinhu, vagere pakatikati penyika. VeShebha neDhedhani navanhu vemhindu dzokutengeserana vokuTashishi nemisha yayo vachati kwauri, ‘Mauya here kuzopamba zvinhu? Maunganidzira hondo yenyu kuzotakura zvinhu zvokupamba, kutakura sirivha nendarama nokuzotora zvipfuwo nezvinhu nokuzopamba zvinhu zvakawanda here?’ “Naizvozvo, chinzwa, iwe mwanakomana womunhu chiporofita uti kuna Gogu zvanzi naTenzi Mwari. ‘Pazuva iroro vanhu vangu veIsiraeri, pavanenge vakazvigarira zvavo, uchasimuka wobuda mumana rako, kubva kwokupedzesera chaiko kuchamhembe, iyewe navanhu vazhinji vaunenge unavo, vose zvavo vachange vakatasva mabhiza vari gurusvusvu guru ravanhu, hondo huru. Uchauya kuzorwisa vanhu vangu vaIsiraeri segore raputira nyika iyoyi. Mumazuva achauya ndichakuunza kuzorwisa nyika yangu kuitira kuti marudzi vandizive pandichaonesa kuera kwangu nemairi iwe Gogu ivo vachiona nameso avo.’ “Zvanzi naTenzi Mwari handiti ndiwe here wandaireva kubvira pasichigare nomuromo wavaranda vangu vaporofita veIsiraeri vakaporofita mumazuva iwayo kwamakore kuti ndichakuunza kuzovarwisa.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Pazuva iroro richauya Gogu kuzorwisa nyika yeIsiraeri, ndichaviruka nehasha. Ndizvo zvandiri kutaura izvozvo ndiine shanje ndakaviruka nehasha nezuvaro pachaita kundengendeka kukuru munyika yeIsiraeri. Hove dzegungwa neshiri dzedenga nemhuka dzesango nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi navanhu vose zvavo vari panyika zvichahuta kudedera nokuvapo kwangu. Makomo achawisirwa pasi hunguruhwe dzamatombo dzichitozomokera pasi madziro ose achikoromokera pasi. Ndichatumira Gogu kose kose. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Vanhu vose vachabayana namabakatwa hama nehama. Ndichamuranga nedenda nokudeurwa kweropa; ndichimubaya iye nemhomho dzake dzavanhu navanhu vazhinji vaanavo; bvachapfacha remvura nechimvuramahwe nomoto nesarufa. Ndokuratidza kwandichaita ukuru hwangu nokuera kwangu ndichiita kuti ndizivikanwe namarudzi avanhu. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.” “Iwe mwanakomana womunhu porofita kuna Gogu uti, zvanzi naTenzi Mwari chiona, ndanangana newe Gogu, jinda guru rokuMesheki nokuTubhari. Ndichakupishinudza ndigokutinhira mberi ndikuunze kubva kwokupedzesera chaiko kudivi rokuchamhembe ndigokutungamirira kundorwisa makomo eIsiraeri. Ipapo ndicharova uta hwako muruoko rworuboshwe ndigokudonhedzesa miseve muruoko rwako rworudyi. Uchafira mumakomo meIsiraeri, iyewe nemhomho dzako idzodzo navanhu vaunenge unavo. Ndichakuita nyama yamagora kushiri dzinodya nyama dzorudzi norudzi uye kuzvikara zvesango kuti udyiwe. Uchafira musango zvamo nokuti ndini iyeni ndakataura, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Ndichatumira moto kuna Magogu nokuvanhu vakazvigarira havo munyika dzokumahombekombe kwegungwa. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. Zita rangu rinoera, ndichaita kuti riziikanwe pakati pavanhu vangu vaIsiraeri. Handizorega zita rangu richin'oreswa zvakare. Ipapo marudzi ndipo paachaziva kuti ndini Tenzi, Anoera muIsiraeri. Hero rouya uye zvichatoitika, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Ndiro zuva riya randaireva. “Vagari vamaguta eIsiraeri vachabuda vakavesera zvombo zvokurwa moto vachizvipisa. Zvose zvinoti nhoo duku nenhoo huru, nouta namapfumo, netsvimbo nemiseve. Vachazvivesera moto kwamakore manomwe zvokuti havazoda huni musango kana kundodzitema musango. Moto wavo vachauvesa nezvombo zvavo izvozvo zvehondo. Vanenge votopamba vanhu vakambovapamba vachitorera zvinhu vanhu vaya vakambovatorerawo zvinhu, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Pazuva iroro ndichapa Gogu nzvimbo yokuviga vanhu muIsiraeri, nzvimbo yeBani reVerwendo kumabvazuva kwegungwa uchadzivirira verwendo nokuti imomo ndomunenge makavigwa Gogu nemhomho yake yose. Ichange yava kunzi, ‘Baniremhomhoyokwagogu.’ Kwemwedzi minomwe, imba yaIsiraeri ichange ichingovaviga kuitira kuti ichenure nyika. Vanhu vose venyika iyoyi vachavaviga zvichivawanisa mukurumbira pazuva randicharatidza mbiri yangu. Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari. Vachatsaura varume vanoramba varipo vokuviga vanenge vasaririra pamusoro payo nyika kuitira kuti ichenurwe, mushure memwedzi minomwe iyoyo ndomavachange vachitsvaga saizvozvo. Ivava pavanenge vachienda nomunyika kudaro, anenge angoona pfupa romunhu anobva aisa mucherechedzo pedyo naro kusvikira vokuviga vaya variviga muBaniremhomhoyokwagogu. (Gutawo rinonzi Mhomho richange riripowo.) Ndokuchenura kwavachaita nyika iyoyo. “Asi iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari taura kushiri dzemhando dzose nokumhuka dzose dzesango kuti unganai muuye, kokorodzanai kumativi ose kumabiko echibayiro andiri kukugadzirirai, mabiko makuru echibayiro pamakomo eIsiraeri. Muchadya nyama nokunwa ropa. Muchatodya zvenyu nyama yamagamba muchinwa ropa ramachinda apanyika ndovanenge vari hondohwe nehwayana nembudzi nehandira dzacho vose zvavo vari ivo zvipfuwo zvacho zvakakodzwa zveBhashani. Muchatodya zvenyu mafuta kusvikira maguta mugonwa ropa kusvikira matoraradza pamabiko echibayiro andiri kukugadzirirai. Pateburu yangu ipapo muchaguta nokudya mabhiza navatasvi vacho namagamba avarwi navarwi vemhando nemhando. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Ndicharatidza mbiri yangu kumarudzi avanhu uye marudzi ose achaona kutonga kwangu kwandinenge ndaita nesimba randakasevenzesa pavari namaoko angu. Imba yaIsiraeri ichaziva kuti ndini Tenzi, Mwari wavo kubvira musi iwoyo zvichienda mberi. Marudziwo avanhu achaziva kuti imba yaIsiraeri yakaenda kuutapwa pamusana pouipi hwavo nokuti havana kutendeka kwandiri zvokuti ndakazvivanza uso kwavari ndikavaisa mumaoko avavengi vavo ndokubva vose vaurayiwa nehondo yebakatwa. Ndakaita kwavari maererano nokun'ora kwavo uye nokukanganisa kwavo ndikazvivanza uso kwavari.” Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Zvino ndava kudzosera pakare makomborero okwaJakobho ndichiitira tsiye nyoro imba yaIsiraeri yose uye ndichaitira shanje zita rangu rinoera. Vachakanganwa kunyadziswa kwavo nokusatendeka kwose kwavakandiitira pavachange vagara havo munyika yavo pasina chinovawana pasina anovatyityidzira. Izvozvo ndinenge ndavadzosa vabva kumarudzi ndavakokorodza kunyika dzavavengi vavo uye nemavari ndaratidza kuera kwangu marudzi namarudzi avanhu achiona. Ndipo pavachaziva kuti ini ndini Tenzi, Mwari wavo nokuti ndakambovaendesa kuutapwa pakati pamarudzi acho ndikabva ndazovakokorodza munyika yavo chaiyo. Hapana wandichasiya ikoko. Uye handichazozvivanzazve uso kwavari pandichadururira Mweya wangu pamba yaIsiraeri” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Mugore ramakumi maviri nechishanu rokutapwa kwatakaitwa pakutangisa pegore, pazuva rechigumi romwedzi iwoyo, mugore regumi nechina mushure mokunge guta rakurirwa, pazuva rakarero chairo, simba roruoko rwaTenzi rakauya pandiri akandiendesa ikoko. Akandiendesa muzviratidzo zvaMwari kunyika yeIsiraeri akandigarisa pasi pagomo refu refu paiva nechimwe chakavakwapo chinenge guta kumaodzanyemba kwacho. Paakandisvitsa ipapo, onei, hoyo mumwe murume aitarisika sendarira aine tambo yerineni norutsanga rwokueresa mumaoko make izvozvo akanga amire pamusuo weSuo Guru. Murume iyeyo akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu tarisa nameso ako unzwe nenzeve dzako uise pfungwa dzako dzose pane zvandichakuratidza nokuti chawaunzirwa kuno, kuitira kuti ndikuratidze izvozvo. Zvaunenge waona zvose zvitaurire kumba yaIsiraeri.” Ndakaona kuti paiva nerusvingo rwakatenderedza nhandare yose yeTemberi. Rutsanga rwokueresa rwakanga rwuri muruoko rwomurume uya rwaiva namakiyubhiti marefu matanhatu. Kiyubhiti racho iroro rimwechete, kureba kwaro kwaiita makumi mashanu amasendimita nemasendimita maviri. Akabvawo aera kureba korusvingo kuenda mudenga kukaita mamita matatu uye ukobvu hwaro hukaita maimita matatu. Ndokubva aenda pamusuo weSuo Guru rakatarisa kumabvazuva akakwira napamatanho epo akaera pamusuo weSuo Guru pakaita mamita matatu kudzika. Uye dzimba dzomumativi macho imwe neimwe yakaita mamita matatu kumativi ose. Padzimba idzodzo, nzvimbo yaiva pakati pemba nemba yaiita mamita maviri ane hafu. Kumusuo kweSuo Guru pedyo nekamba kapaSuo Guru kwokupedzesera mukati kakaita mamita matatu. Akazoera kamba kapaSuo Guru pakaita mamita mana kudzika. Magwatidziro acho rimwe nerimwe raiita mita imwechete izvozvo kamba keSuo Guru kakanga kari mukati kwokupedzesera. Paivawo nedzimba nhatu dzomumativi macho uku nouku kweSuo Guru rokumabvazuva. Pahutatu hwadzo kudaro dzakanga dzakaenzana uye magwatidziro acho uku nouku akanga akaenzana. Akazoerawo urefu hwapamusuo weSuo Guru hukaita mamita matanhatu ane hafu upamhi hweSuo Guru huchiita mamita mashanu. Paiva nechokudzivirira nacho mberi kwedzimba dzomumativi idzodzo divi rimwe nerimwe richiita hafu yemita. Dzimba idzi dzaiva namativi akaenzana dzichiita mamita matatu rutivi rwega rwega. Misuo yadzo yaiva yakatarisana dziri pakanyatsotarisana neSuo Guru zvokuti paakaera pacho kubva kuseri kwemba imwe kusvika kuseri kweimwe, pakaita gumi ramamita rine mamita maviri ane hafu. Akaerawo kamba kaya, kakaita gumi remamita kufara. Uye kutenderera kamba ikako kapaSuo Guru, maingova munhandare. Kubvira pamberi peSuo Guru rokupinda naro kusvikira kwokupedzisira kwekamba komukati kepaSuo Guru pakaita makumi maviri amamita ana mamita mashanu. Nechomukati meSuo Guru kutenderera maiva namahwindo nechomukatiwo mekamba kapaSuo Guru ipapo maiva namahwindo uye pamagwatidziro acho pakanga paine mifananidzo yemirara. Akazondisvitsa munhandare yokunze, onei, imomo maiva nedzimba uye nekahuva kakanga kakatenderera nhandare iyoyo. Paiva namakumi matatu edzimba dzakanga dzakatarisana nekahuva ikako. Zvino kahuva kacho kaitevedzana namativi emisuo mikuru kachitevedza kureba kwakaita misuo mikuru yacho. Ndokacho kaiva kahuva kapazasi. Akazoera chinhambwe chinotangira nechomukati kumberi kweSuo Guru rezasi kusvikira kumberi kwenhandare yomukati pakaita makumi mashanu amamita. Akanditungamirira nokuchamhembe ndakaona pane Suo Guru raiva rakatarisa kuchamhembe riri rokunhandare yokunze. Akariera urefu hwaro noupamhi hwaro. Dzimba dzaro dzomumativi dzakanga dzakati uku nhatu uku nhatu uye magwatidziro acho nekamba karo zvakanga zvakaenzana sezvakanga zvakangoitawo Suo Guru rokutanga. Urefu hwaro hwaiita makumi maviri amamita ana mamita mashanu, kufara kwaro kuchiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu. Mahwindo aro nekamba kapamusuo, nemirara iya yokuvezera yakanga yakaenzana neiya yokuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva. Raiva namatanho manomwe okukwira kwariri. Kamba karo kapamusuo kaive nechomukati. Sezvakanga zvakangoitawo kumabvazuva, paiva pakatarisana neSuo Guru pakanga paine Suo Guru rokupinda munhandare yomukati. Iye ndokuera achibva pane rimwe Suo Guru kusvikira kune rimwe pakaita mamita makumi mashanu. Akazonditungamirirawo nokumaodzanyemba, onei, kune Suo Guru. Akaera magwatidziro aro nekamba kepamusuo paro zvakanga zvakaenzana nezvemimwe misuo mikuru. Maiva namahwindo kuritenderera mariri uye nomukamba karo kapamusuo samahwindo emimwe yacho. Urefu hwaro hwakaita makumi maviri amamita namamita mashanu, kufara kwaro kuchiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu. Paivawo namatanho manomwe okukwira nawo kuSuo Guru racho. Kamba karo kapamusuo kainge kari nechomukati uye raiva nemifaninidzo yemirara pamagwatidziro paro rakati rumwe rutivi murara rumwewo murara. Paivawo neSuo Guru kuchamhembe kwenhandare yomukati. Iye akaera kubvira paSuo Guru rimwe kusvikira kune rimwe akananga kumaodzanyemba pakaita makumi mashanu amamita. Pedzezvo akandiunza munhandare yomukati tapinda neSuo Guru rokumaodzanyemba. Akabva aera Suo Guru rokumaodzanyemba, rakanga rakangoenzana nemimwe. Dzimba dzaro dzomumativi namagwatidziro aro nakamba karo kapamusuo zvakanga zvakangoenzana nemimwe. Mariri makanga mune mahwindo kuritenderera uye nomukamba karo kepamusuo kuritenderera. Urefu hwaro hwakaita makumi maviri ana mamita mashanu, upamhi hwaro huchiita mamita gumi namaviri ane hafu. Paivawo notumba twepamusuo kutenderera tuchiita mamita makumi maviri namashanu kureba uye upamhi huchiita mamita maviri ane hafu. Kamba karo kapamusuo kakanga kakatarisana nenhandare yokunze, pamagwatidziro aro paine mifananidzo yemirara. Matanho aro okukwirisa kwariri akanga ari masere. Akazoenda neni kunhandare yomukati kumabvazuva akaera Suo Guru iroro, rakanga rakangoenzanawo nemimwe. Dzimba dzaro dzomumativi namagwatidziro aro nakamba karo kapamusuo zvakanga zvakangoenzana sezvimwe. Uye raiva namahwindo mariri kuritenderera nomukamba kacho kapamusuo. Urefu hwaro hwaiva makumi mashanu amamita noupamhi hwaro hwaiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu. Kamba karo kapamusuo kakanga kakatarisana nenhandare yokunze. Raivawo nemifananidzo yemirara pamagwatidziro aro yakati mumwe uku mumwe uku. Matanho aro okukwirisa kwariri akanga ari masere. Akandisvikisawo kuSuo Guru rokuchamhembe akariera. Rakanga rakaenzanawo nemimwe. Dzimba dzaro dzomumativi namagwatidziro aro nakamba karo kapamusuo zvakanga zvakangoenzana. Uye raiva namahwindo mariri kuritendererera. Urefu hwaro hwaiva makumi maviri amamita ana mamita mashanu noupamhi hwaro hwaiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu. Kamba karo kapamusuo kakanga kakatarisana nenhandare yokunze. Raivawo nemifananidzo yemirara pamagwatidziro aro yakati mumwe uku mumwe uku. Matanho aro okukwirisa kwariri akanga ari masere. Paivawo nemba ine gonhi rayo mukamba karo kapamusoro kumagwatidziro eSuo Guru racho paigezerwa mupiro wokupisa. Zvino mukamba kacho kapaSuo Guru paiva namateburu maviri kumativi ose ari maviri. Ndipo paiurayirwa mupiro wokupisa nomupirowo wokuripira zvitadzo uyewo mupiro wokuripa mhosva. Nechokunze kwekamba ikako kepamusuo pokupinda napo kuSuo Guru rokuchamhembe, paivawo namateburu maviri. Kune rimwe divi rakamba ikako keSuo Guru pakanga pana mateburu maviri. Kwaiva namateburu mana mukati macho namateburu manawo nechokunze kudivi rimwe reSuo Guru. Ose pamwechete aiva mateburu masere pakanga pachiurayirwa zvibayiro. Paivawo namamwe mateburu mana amabwe akavezwa pokuitira mupiro wokupisa, imwe neimwe ichiita makumi mashanu amasendimita kureba iine pamusoro pakaenzana mativi mana ose, divi roga roga richiita makumi manomwe emasendimita ana masendimita mashanu. Ipapo ndipo pairongedzerwa midziyo yokuurayisa mipiro yokupisa uye nezvibayiro. Paivawo nezvokupaikira zvakanga zvakaita sechanza kureba zvaiva zvakarovererwa zvakatenderedza zviri nechomukati. Akazonditora kunze ondipinza munhandare yomukati, onei, pane dzimba mbiri munhandare yomukati imomo. Imwe yaiva kudivi rokuSuo Guru rokuchamhembe yakatarisa kumaodzanyemba imwewo yacho iri kudivi rokuSuo Guru rokumaodzanyemba yakatarisa kuchamhembe. Iye akanditi, “Imba iyo yakatarisa kumaodzanyemba, ndeyavapristi vebasa rokuona nezveTemberi. Imbawo iyo yakatarisa kuchamhembe, ndeyavapristi vebasa rokuona nezveatari, ivava ava ndovanakomana vokwaZadhoki, ndivo voga pakati pavanakomana vokwaRevhi vangaswedere kuna Tenzi kuzomushandira.” Akaerawo nhandare ikaita mamita makumi mashanu kureba, upamhi huriwo makumi mashanu amamita, yakaenzana mativi ose ari mana. Atari yakanga imire pamberi peTemberi. Pedzepo akandiunza kukamba kapamusuo peTemberi akabva aera magwatidziro akamba kepamusuo kacho. Kakaita mamita maviri ane hafu uku nouku. Kufara kweSuo Guru iroro kwaisvitsa mamita manomwe. Mumativi meSuo Guru masvingo akanga achiita mita imwechete nehafu uku nouku. Urefu hwekamba kapamusuo ikako hwaiita gumi ramamita, kufara kwako kuchiita mamita matanhatu. Paiva namatanho gumi okukwirisa kwariri, paine misimboti pedyo namagwatidziro uku nouku. Akazondiunza muzimba guru racho ndokubva aera magwatidziro aro. Magwatidziro iwayo akaita mamita matatu kupamhama pachiti rouku nerouku. Kufara kwomusuo iwoyo kwakaita mamita mashanu uye madziro omumativi mepamusuo ipapo achisvitsawo mamita maviri ane hafu uku nouku. Akaerawo kureba kwezimba iroro kukasvika makumi maviri amamita, upamhi hwaro huchiita gumi ramamita. Akapinda mumba yomukati akaera magwatidziro omusuo wayo akaita mita rimwechete, kufara kwepamusuo ipapo kukaita mamita matanhatu. Madziro omumativi mopokupinda napo akasvitsawo mamita matatu ane hafu. Akaerawo kureba kwemba iyoyi ikaita gumi remamita kufara kukaitawo gumi ramamita mukati mezimba guru riya. Ndokubva iye anditi, “Ino iyi ndiyo Nzvimbo Inoeresesa yacho.” Akaerawo chidziro cheTemberi chikaita mamita matatu oukobvu uye kufara kwedzimba dzomumativi dzacho kwakaita mamita mana dzakatenderera Temberi iyoyo. Dzimba dzacho dzomumativi dzaiva dzakaita nhurikidzwa nhatu, imwe iri pamusoro peimwe, dziri makumi matatu panhurikidzwa yoga yoga. Pakanga paine zvimwe zvokutsigirisa zvakavakwa mumadziro macho zvakabudira nechokunze kutenderera chidziro chose ichocho cheTemberi kuitira kutsigira dzimba dzomumativi idzodzo kuti dzirege kutsigirwa nechidziro cheTemberi iyoyo. Kufara kwedzimba dzomumativi dzapasi dzacho kwaikurirwa nedzepamusoro. Dzepamusoro idzodzo dzichikurirwawo kufara nedzapamusorosoro, zvichifambiranawo nokukudzwa-kudzwa kwezvimwe zvokutsigirisa zviya zvakavakwa mumadziro zvichabudira nechokunze nhurikidzwa yoga yoga kutenderera Temberi iyoyo. Padivi peTemberi paiva namatanho aikwira mudenga. Ndiwo makwiriro aiita munhu kuti abve pasi achienda kumusoro achipinda nomunhurikidzwa yapakati. Ndakaonawo kuti muTemberi makanga muine huva yakakwirira kutenderera yose. Ugaro hwedzimba dzomumativi dzacho hwakanga huchiita mamita maviri marefu kureba. Ukobvu hwechidziro chokunze kwedzimba idzodzo dzomumativi hwaiita mamita maviri nehafu. Paivawo nepamwe pakanga pasina chinhu pakati pedzimba idzodzo neTemberi nedzimba dzomunhandare yakanga ichiita gumi ramamita kumativi ose eTemberi kuitenderera. Magonhi edzimba dzomumativi idzi aizaruka nokunzvimbo iya yakanga yakasiyiwa isina chinhu. Rimwe raizaruka rakanangana nokuchamhembe rimwewo rakanangana nokumaodzanyemba. Kufara kwenzvimbo iyoyo yokusiyiwa isina chinhu yaiita mamita maviri nehafu. Imba yaive iri kumadokero yakanga yakatarisana nenhandare yeTemberi yaiva iri makumi matatu amamita ana mamita mashanu upamhi. Chidziro chemba iyoyo chakanga chiine ukobvu hunoita mamita maviri ane hafu. Kureba kwayo kwakanga kuchiita makumi mana amamita ana mamita mashanu. Akaerawo Temberi ikaita mamita makumi mashanu kureba uye nhandare neimba yacho iyoyo namadziro ayo zvikaitawo makumi mashanu amamita kureba. Akaerawo upamhi hwokumberi kweTemberi iyoyo kumabvazuva nenhandare zvikaita makumi mashanu amamita. Akazoera urefu hwemba yakatarisa kumadokero nhandare namadziro ayo kumativi ose ikaita mamita makumi mashanu. Zimba reTemberi nemba yomukati nekamba kapamusuo kokunze zvakanga zvakaroverwa namapuranga. Dzose dziri nhatu kutenderedza dzaive namahwindo asingazaruki. Temberi iyoyi, kumusuo kwacho kwakanga kwakanzi chechetere namapango akavezwa, kubvira pasi payo kusvikira mumahwindo. (Izvozvo mahwindo akanga akadzivirwa) kusvika panzvimbo iri pamusoro pegonhi nyangewo kusvikira mumba yomukati uyewo nechokunze. Mumadziro mose, kutenderera, mumba yomukati iyoyo nezimba riya maiva nemifananidzo yakavezwa yakaita samakerubhu nemiti yemirara pakati pekerubhu nerimwewo kerubhu. Kerubhu roga roga raiva nezviso zviviri zvaiti; uso hwomunhu hwaiva hwakatarisa kunerimwe divi kumurara uya, uso hweshumba ichiri kuzvinzwa hwaive kumiti yomurara. Mifananidzo yacho yaiva yakavezerwa paTemberi yose iyoyo kuitenderera. Kubvira pasi dakara pamusoro pegonhi aingova chete makerubhu nemiti yomurara. Magwatidziro apamusuo pezimba riya aiva akangoenzana mativi ose ari mana. Pamberi peNzvimbo Inoera paiva nechimwe chinomiririra atari yamapango yaiita mita imwechete nehafu kureba kuenda mudenga upamhi hwacho huri mita imwechete. Kona dzacho nechigadzikiro chazvo namadziro ayo akanga ari omuti. Akati kwandiri, “Ino iyi ndiyo teburu iri pana Tenzi.” Zimba guru riya neNzvimbo Inoera zvakanga zviine makonhi maviri maviri. Makonhi acho akanga ari maviri maviri pamusuo, ari masasa maviri aizaruka pamusuo woga woga. Zvino pamagonhi ezimba guru pakanga pana makerubhu akavezwa painewo miti yemirara sezvakangoita zviya zviya zvakanga zvakavezerwa pamadziro pekamba kapamusuo kaya nechokunze. Paivawo namahwindo asingazaruki nemifananidzo yemiti yemirara kumativi ese pamadziro ekamba ikako. Akazondiburitsamo akanditungamirira munhandare yomukati nechokuchamhembe. Akandiunza kudzimba dzaiva dzakatarisana nenhandare yeTemberi dzakatarisanawo nemba iri nechokuchamhembe. Kureba kwemba yaiva nechokuchamhembe kwaiita mamita makumi mashanu upamhi huri makumi maviri amamita ana mamita mashanu ane hafu. Pakanga pakatarisana nepamwe paiita gumi ramamita pakanga pari penhandare yomukati pakatarisanawo nakahuva kokunhandare yokunze paiva nemba dzenhurikidzwa nhatu dzina maperere. Pamberi pedzimba idzodzo paiva nopokupinda napo mukati paiita mamita mashanu kufara, urefu hwacho huchiita makumi mashanu amamita. Makonhi adzo akanga ari nechokuchamhembe. Zvino dzimba dzapamusoro dzako dzakanga dzakati dukupei nokuti maperere akanga akadzitorera nzvimbo yakati kuti kupfuura dzimba dzapasi nedzapakati dzacho dzapamba iyoyo nokuti dzaiva nhurikidzwa nhatu dzisina misimboti semisimboti yomunhandare yokunze. Ndokusaka dzimba idzodzo dzapamusoro dzakanga dzakavakwa dzakanyanya kuswedera shure kubvira pasi kupfuura dzimba dzapasi nedzapakati dzacho. Paivawo nechidziro nechokunze chakavambirana nedzimba idzodzo woenda kunhandare yokunze pakatarisana nedzimba. Dzaiita makumi maviri amamita ana mamita mashanu kureba. Chaivapo ndechokuti dzimba dzomunhandare yokunze dzakanga dzichiita mamita makumi maviri namashanu kureba. Dziya dzaiva dzakatarisana neTemberi dzaiita makumi mashanu amamita kureba. Nechapasi pedzimba idzi, paiva nepokupinda napo nechokumabvazuva uchipinda madziri uchibva nokunhandare yokunze maiva nedzimwe nomukana wokufamba nawomu. Kumaodzanyembawo kwacho pakatarisana nenhandare pakatarisanawo neimba iyoyo, paiva nedzimba pamberi padzo paino mukana wokupfuura nawo. Dzakanga dzakafanana nedzimba dziya dzaiva kuchamhembe, urefu hwadzo noupamhi hwadzo hwakaenzana, nemokubuda namo makangofanana, uyewo namamiriro acho namagonhi adzo. Uyezve nechapasi kwedzimba dzokumaodzanyemba kwaiva nepokupinda napo nechokumabvazuva ukange wapinda napamukana iwoyo uye pakanga pakatarisana nadzo paiva nechidziro chaiganhura. Akazoti kwandiri, “Dzimba dzokuchamhembe nedzimba dzokumaodzanyemba dzakatarisana nenhandare, dzimba dzinoera, munodyira vapristi vanoswedera pana Tenzi mipiro inoeresesa kwazvo. Imomo ndomavacharongedza mipiro inoeresesa kwazvo inoti: mupiro woupfu hwembesanwa nomupiro wokupirira zvitadzo nomupiro wokuripira mhosva nokuti nzvimbo iyoyo iNzvimbo Inoera. Kana vapristi vopinda muNzvimbo Inoera, havafaniri kuzobuda mairi vachienda kunhandare yokunze vasina kusiyamo magemenzi avanenge vakapfeka pabasa ravanga vachiita imomo nokuti anoera. Vanofanira kupfeka mamwe magemenzi vasati vaswedera kune zvavanhu.” Kuzoti zvino apedza kuera nzvimbo yomukati meTemberi, akandiburitsa nokuSuo Guru raiva rakatarisa kumabvazuva akabva aera nzvimbo yeTemberi kuitenderera nharaunda iyoyo. Akaera kumabvazuva ikoko norutsanga rwuya rwokueresa narwo kukaita mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga irworwo. Akatendeuka akaera divi rokuchamhembe kwacho kukaita mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga irworwo rwokueresa narwo. Akatendeuka akaera kudivi rokumaodzanyemba kukaitawo mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga irworwo rwokueresa narwo. Akazotendeukira kudivi rokumadokero akaera kukaita mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga rwuya rwokueresa narwo. Akaiera mativi mana. Yakanga iine chidziro, kuitenderera, chakanga chichiita mamita mazana maviri namakumi mashanu kureba uye mazana maviri namakumi mashanu amamita upamhi chokuparadzanisa kudivi rinoera nedivi risingaeri. Mushure maizvozvo akaenda neni kuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva onei kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kuchibva kumabvazuva uye kutinhira kwokuuya kwake kwainge kuwunga kwamafashamo emvura uyewo nyika yakabva yati ngwe-e kuchena nembiri yake. Zvino chiratidzo chandakaona chakanga chakafanana nechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta, chakaitawo sechiratidzo chandakamboona ndiri pedyo nerwizi rweKebhari. Ndakawira pasi nouso. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi pakwakapinda muTemberi nokuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva, Mweya akandisumudza akaenda neni kunhandare yomukati, ndiye onei kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza Temberi. Murume uya paakanga amire neni kudaro ndakanzwa mumwe aitaura kwandiri ari muTemberi. Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, ino iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choumambo nechitambarariko chetsoka dzangu. Ndimo mandichagara pakati pavanhu veIsiraeri nokusingaperi. Imba yaIsiraeri haichazombofa yakan'oresa zita rangu rinoera, ivo kana madzimambo avo nounzenza hwavo kana nezvitunha zvamadzimambo avo. Vanoita izvi nokuisa misuo yavo pamusuo pangu namagwatidziro avo akatarisana namagwatidziro angu, nechidziro chiricho choga chatakaganhurana, ivo neni. Vakan'oresa zita rangu rinoera zvinosemesa zvavo zvavakaita, ndokusaka ndakavaroromesa nehasha dzangu. Zvino ngavakande pasi kunamata kwavo zvifananidzo ikoku, uye zvitunha zvamadzimambo vakande kure neni, iniwo ndichagara pakati pavo nokusingaperi. “Zvino iwe mwanakomana womunhu tsanangurira imba yaIsiraeri nezveTemberi nokutarisika kwayo namamiriro ayo kuitira kuti vanyare uipi hwavo. Kana vakazonyara pana zvose zvavakaita, vatsanangurire nezveTemberi, mamiriro ayo, paibudwa napo nepaipindwa napo nokutarisika kwayo kwose. Uvazivisewo mitemo yayo yose nemirao yayo yose uinyore vachiona nameso avo kuitira kuti vachengete nokuita zvose zvinorehwa nemitemo yayo yose pamwechete nemirao yayo yose. Uno uyu ndomutemo weTemberi unoti: Nharaunda yose yapamusoro pegomo chaipo inzvimbo inofanira kuereswa kwazvo. Iwoyo ndomutemo weTemberi.” Uku ndokupimwa kwakaitwa atari ichierwa namamita, (mita racho iroro rimwechete richiita zana ramasendimita rina masendimita mana). Pasi payo pakaita masendimita makumi mashanu namaviri kureba kuenda mudenga, ichiitawo masendimita makumi mashanu namaviri kufara, iine bhande rinoita makumi maviri amasendimita ana masendimita mashanu kureba kuitenderera. Uhu ndohurefu hweatari iyoyo kukwira mudenga, kubvira pasi payo pavhu apa kusvika pachimbimbi chapazasi pakaita mita rimwechete, paine upamhi hunoita hafu yemita, kubvirawo pachimbimbi chidiki kusvikira pachimbimbi chikuru chacho pachiita mamita maviri chiine upamhi hunosvika chikamu chehafu yemita. Kouya choto cheatari iyoyo chaiita mamita maviri uye kubvirawo pachoto chapaatari ichocho paine zvinenge nyanga zvina zvinoita chikamu chehafu yemita kureba kuenda mudenga. Choto cheatari iyoyo chakanga chino mativi mana akaenzana, urefu hwacho hwaiita mamita matanhatu upamhi hwacho huri mamita matanhatuwo. Chimbimbi chawo chakanga china mativi mana akaenzana, urefu hwacho huri mamita manomwe, upamhi hwachowo huri mamita manomwe chiine bhandi rakachitenderera rinoita masendimita makumi maviri namashanu. Pasiwo pacho pakaita hafu yemita kupatenderera. Matanho apaatari akanga akatarisa kumabvazuva. Akazonditi, “Iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari mirao yapaatari ndeyiyi iyi: Pazuva rainovakirwa kupirira pairi mupiro yokupisa uye nokusasa ropa pairi unofanira kupa vapristi vechiRevhi vemhuri yokwaZadhoki ivo vanoswedera kwandiri kuzondishandira, handira yomupiro wokupirira zvitadzo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Unofanirawo kutora rimwe ropa rayo urizore pane zvinenge nyanga zvina zviya zvepaatari napamakona mana echimbimbi urizorewo pabhandi kuritenderera. Ndokuchenura kwauchaita atari nokuipfupirira. Uyewo unofanira kutora handira yomupiro wokupirira zvitadzo inofanira kundopisirwa panzvimbo yacho yakasarudzwa iri yapaTemberi ipapo asi kuri nechokunze kweNzvimbo Inoera. Zvino pazuva repiri unofanira kupira gotora risina chinoshoreka pariri romupiro wokupfupira zvitadzo, atari ichabva yachenurwa sokuchenurwa kwainoitwa nehandira. Kana wapedza kuichenura, unofanira kuzopira handira isina chinoshoreka pairi nechihondohwe chomudanga chisina chinoshoreka. Unofanira kuuya nazvo pana Tenzi, vapristi vanofanira kudzimwaya-mwaya munyu vagodzipira somupiro wokupisa kuna Tenzi. Kwamazuva manomwe unofanira kuita kuti pave nembudzi yomupiro wokupirira zvitadzo uyewo nehandira nehondohwe zvomudanga zvisina chinoshoreka, ndozvinofanira kuitwa. Kwamazuva manomwe vanofanira kupfupirira atari vaichenure, nokudaro inoereswa. Kana vazopedza mazuva iwaya, ipapo kubvira pazuva resere zvichienda mberi vapristi vachange vachipira paatari mipiro yenyu yokupisa nemipiro yenyu yokuwadzana, ndichakugamuchirai” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Akazondidzosera kuSuo Guru rokunze kweNzvimbo Inoera rakatarisa kumabvazuva rakanga rakapfigwa. Tenzi akati kwandiri, “Suo Guru iri richaramba rakapfigwa. Harifaniri kumbozarurwa. Hapana anofanira kumbopinda nepo nokuti Tenzi, Mwari weIsiraeri ndipo paapinda napo. Naizvozvo rinofanira kugara rakapfigwa. Jinda chete, ndiro ringagarepo zvaro richidya chingwa pana Tenzi. Richapinda nenzira yokukamba kapamusuo kapaSuo Guru rigobuda nenzira imwecheteyo.” Akandiunza nenzira yokuSuo Guru rokuchamhembe kumberi kweTemberi. Ini ndikatarisa ndikaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazara muTemberi yaTenzi ndikawira pasi nouso. Tenzi ndokubva ati kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu pfundira mumwoyo mako ucherechedze nemeso ako unzwe nenzeve dzako zvose zvandichakutaurira zvinonangana nemirao yose yeTemberi yaTenzi nemirao yayo yose, uzvichengetedze mumwoyo mako kuti ndavanani vanobvumirwa kupinda pamusuo weTemberi uye kuti ndavanaani vasingabvumirwi muNzvimbo Inoera. Uti kuvapanduki, imba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari imi vemba yaIsiraeri zvose zvounyangadzi hwenyu hwakan'ora ngazvipere, zvokubvumira vatorwa, vanhu vane mwoyo nomuviri isina kudzingiswa kuti vave muNzvimbo yangu Inoera vachiin'oresa pamunopira kwandiri zvokudya zvangu namafuta neropa. Makatyora chitenderano changu pamusoro pezvounyangadzi hwenyu. Panze pokuti imi muite basa rokuchengeta munzvimbo yangu inoera makatoisa imi vatorwa kuti ivo ndivo vave nebasa rokuchengetedza muNzvimbo yangu Inoera. “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari hapana mutorwa asina kudzingiswa mumwoyo kana pamuviri wake, pavatorwa vose zvavo vari pakati pavaIsiraeri anobvumirwa kupinda muNzvimbo yangu Inoera. “Asi vaRevhi vakaenda kure neni, vachirasika kwandiri, vachitevera zvifananidzo zvavo zvokunamata paye pakaenda Isiraeri mutome vachawanawo mubayiro wokurangwa. Kushanda muNzvimbo Inoera vachashandawo zvavo, vachitarirawo zvapamisuo mikuru yapaTemberi; vachishandawo muTemberi, vachibayawo chibayiro chomupiro wokupisa, nechibayiro chavanhu. Vachaita mabasa vachibatsira vanhu. Pamusana pokuti vakavaitira mabasa pamberi pezvifananidzo zvavo zvokunamata vakave chipingamupinyi chokuipa kuimba yaIsiraeri saka ndakapika kuti vachawana mubayiro wavo wokurangwa. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Havafaniri kusvika pedyo neni vachindiitira basa roupristi kana kusvika pane zvinhu zvangu zvose zvinoera, kana pedyo nezvinhu zvinoeresesa asi kutoti vanofanira kunyara nazvo pamusana pounyangadzi hwavo hwakan'ora. Kunyange zvakadaro zvavo ndichavasarudza kuti vaite basa rokuchengetedza muTemberi, kuita mabasa omo anofanira kuitwa imomo. “Asi vapristi vechiRevhi, vanakomana vokwaZadhoki vanoita basa rokuchengetedza Nzvimbo yangu Inoera pakatetereka vanhu veIsiraeri mutome vachibva kwandiri, ndivo vachauya kwandiri vachindishandira. Ndivo vachandiitira basa rokupira kwandiri mafuta neropa. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Ivava ndivo vachapinda muNzvimbo yangu Inoera, uye ndivo vachasvika paAtari yangu kuzondishandira. Ndivo vachandiitira basa rokuchengetedza zvinhu. Pavanopinda paSuo Guru renhandare yomukati, vanofanira kupfeka hanzu dzerineni. Havafaniri kuva nechii zvacho chewuru pavari pavanenge vachiita basa kumisuo mikuru yomunhandare yomukati nomuTemberi. Vanofanira kupfeka nguwani dzerineni mumusoro mavo, muchiuno mavo vakasungira mabhurukwa erineni. Havafaniri kupfeka chose chose chinokonzera dikita. Uye pavanobuda kunhandare yokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa magemenzi avanga vachishanda vakapfeka voarongedza mudzimba dzinoera vopfeka mamwe magemenzi nokuti vangadaro vakaitisa vanhu zvinhu zvino muko namagemenzi avo iwayo. Havafaniri kuveura musoro wavo kana kurega vhudzi ravo richireba. Chavo chete kugerwa vachichekererwa vhudzi ravo. Hapana mupristi anofanira kunwa waini paanopinda munhandare yomukati. Havafaniri kuroora chirikadzi kana mukadzi akarambwa, asi mhandara chete yorudzi rwemba yaIsiraeri kana chirikadzi yomupristi. Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu mutsauko wezvinoera nezvisingaeri vachivaratidza kusiyanisa zvakan'ora nezvisina kun'ora. Panenge paita gakava, ivava ndivo vachava vatongi vacho vachitonga maererano nemirawo yangu. Vanofanira kuchengeta mitemo yangu nemirao yangu pamazuva angu makuru akatarwa uye vanofanira kueresa maSabata angu. Havafaniri kuzvin'oresa nokuenda pedyo nechitunha chomunhu kusiya chete nechitunha chababa kana chaamai kana chomwanakomana kana chomwanasikana kunyange chomukoma kana munun'una kana chehanzvadzisikana isina kuroorwa vanogona zvavo kuzvin'oresa. Asi kana azvichenura ngavamuverengere mazuva manomwe. Pazuva raanosipinda muNzvimbo Inoera, munhandare yomukati kundoshanda muNzvimbo Inoera, anofanira kupira mupiro wake wokupirira zvitadzo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Havafaniri kuva nenhaka, ini ndini nhaka yavo. Saka usavape nyika muIsiraeri, ini ndini nyika yavo. Vanofanira kudya mupiro wembesanwa nomupiro wokupirira zvitadzo nomupiro wokuripira mhosva nechose zvacho chinenge chateketererwa kuna Mwari muIsiraeri, chichava chavo. Michero yose yokutanga yemhando dzose zvadzo nomupiro wose wemhando dzose pazvinhu zvose zvamunopira zvichava zvavapristi. Munofanirawo kupa kumupristi upfu hwakamanzika kuitira kuti imba yako iwane chikomborero. Vapristi havafaniri kudya chinhu chipi nechipi chakafa choga, ingava shiri kana mhuka yafa yoga kana yabvamburwa-bvamburwa.” Pamunogova nechin'ange nyika senhaka munofanira kutsaurira Tenzi chimwe chikamu chenyika iyoyo sedunhu rinoera rinoita gumi ramakiromita rina makiromita maviri nehafu kureba chichiita makiromita gumi upamhi. Nharaunda yayo yose inenge iri dunhu rinoera. Padunhu racho ngapave nenzvimbo yakaenzana mativi ose, divi roga roga richiita mazana maviri amamita ana mamita makumi mashanu, iyoyo ichave Nzvimbo Inoera. Mudunhu rinoera iroro unofanira kuera utsaure nzvimbo inoita makiromita gumi namaviri nehafu kureba ine upamhi hwamakiromita mashanu, muchava Nzvimbo Inoera, Nzvimbo Inoeresesa. Chikamu chenyika ichocho chichava chikamu chinoera. Chichava chavapristi vanoshanda muNzvimbo Inoera vanoenda panaTenzi kundomushandira. Nzvimbo iyo ichava nzvimbo yedzimba dzavo uye ichava nzvimbo tsvene yeNzvimbo Inoera. Rimwewo dunhu rinoita gumi ramakiromita rina makiromita maviri ane hafu kureba iine makiromita mashanu kufara, rinofanira kuva ravaRevhi vanoshanda kuTemberi; ndiyo nzvimbo yamaguta avo okuti vagare. Pakavambirana nedunhu rinenge ratsaurwa racho sedunhu rinoera, unofanira kuganhurira guta nzvimbo inoita makiromita maviri ane hafu upamhi iine urefu hunosvika gumi ramakiromita rine hafu. Nyika iri kumativi maviri ose edunhu rinoera ichange iri yashe pamwechete nezvinhu zveguta iroro zvichitevedza dunhu rinoera nezvinhuwo zveguta iroro kumadokero nokumabvazuva zvakangoreba zvakaenzana nedunhu rerimwe ramadzinza zvichienda zvakadaro kubvira kumuganhu wokumadokera kudzamarara kumuganhu wokumabvazuva wenyika. Ndiwo uchava mugove wake iwoyo muIsiraeri. Madzishe angu iwayo haazodzvinyiriri vanhu vangu, asi kutoti vachaita kuti vemba yaIsiraeri vawane nyika maererano namadzinza avo. Zvanzi naTenzi Mwari, “Zvakwana, imi madzishe eIsiraeri. Kandai pasi utsinye noudzvinyiriri mutonge vanhu noruenzaniso nourarami. Zvokudzinga vanhu vangu izvi ngazvipere, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Munofanira kuva nezvikero zvakarurama nebhagidhi nomugoro zvakarurama. Bhagidhi racho nomugoro zvinofanira kuva zvakaenzana. Mugoro wacho unofanira kuva namarita makumi maviri ana maviri, uye bhagidhi richifanirawo kuva namarita makumi maviri ane maviri. Marita mazana maviri ane marita makumi maviri ndiwo anofanira kuva mwero wacho chaiwo wokueresa. Mari yeshekeri inofanira kuita zana ramagiramu rina magiramu makumi maviri uye mashekeri mashanu achiita makumi mashanu amagiramu ane magiramu manomwe ane hafu uyewo gumi ramashekeri richiitawo magiramu zana rine gumi namashanu, minawo renyu rimwechete richiita mamirigiramu makumi matanhatu. “Mupiro wenyu unofanira kuva wakadai sezvizvi: Pamabhagidhi gumi ekoroni munobvisa marita matatu ana makumi matanhatu amamiririta ane mamiririta matanhatu. Pagumi ramabhagidhi ebhari, munobvisawo marita matatu ane makumi matanhatu emamiririta ane mamiririta matanhatu. Mafuta acho anozoramba achingovapo chete anofanira kuti aite marita maviri ane mamiririta makumi maviri pamazana maviri amarita ane marita makumi maviri. (Mwero wokupimisa wainzi koru nounonzi homa yakafanana mumwe nomumwe wakanga uchiita sewainziwo bhati waive negumi ramabhagidhi.) Kubva mumhuri dzavaIsiraeri, padanga roga roga remazana maviri ehwai ngapabviswe hwai imwechete. “Iyoyi ndiyo mipiro yekoroni, nemipiro yokupisa, nemipiro yokuwadzana iri mipiro yokupfupira zvitadzo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Vanhu vose muIsiraeri vanofanira kupa mupiro iwoyo kunashe. Ishe ndiye achave nebasa rokuona kuti pane mipiro yokupisa, mipiro yekoroni nemipiro yokuteura pamazuva makuru, naPakugara kweMwedzi, nepamaSabata napamazuva ose makuru akatemwa emba yaIsiraeri. Ibasa rake rokuona kuti pane mipiro yokupfupira zvitadzo nemipiro yekoroni nemipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana iri mipiro yokuripira zvitadzo zvemba yaIsiraeri.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamwedzi wokutanga pazuva rokutanga romwedzi, unofanira kutora handira ichiri duku isina chinoshoreka pairi uchenure Nzvimbo Inoera. Mupristi anotora rimwe ropa rechibayiro chokupfupira zvitadzo arizore pamagwatidziro eTemberi nepamakona mana echimbimbi chokunze cheatari napamapango paSuo Guru renhandare yomukati. Unofanira kuita izvozvi pazuva rechinomwe remwedzi uchiitira ani naani zvake anenge atadzira Mwari mukukanganisa kana mukusaziva. Saizvozvo ucharipira zvitadzo zvomuTemberi. “Mumwedzi wokutanga pazuva regumi nerechina muchachengeta Zuva Guru rePasika. Kwamazuva manomwe kunofanira kudyiwa chingwa chisina mbiriso. Pazuva iroro ishe anofanira kuzviwanira iye nevanhu vose venyika handira ndiki yokupfupira zvitadzo. Pamazuva manomwe iwayo mumazuva makuru anofanira kuti pave nenzombe dzichiri diki nomwe, nehondohwe nomwe dzisina chinoshoreka dzomupiro wokupisa kuna Tenzi pazuva nezuva mumazuva manomwe iwayo, uyewo zuva nezuva gotora rokupfupira zvitadzo. Anofanira kuona kuti pane bhagidhi roupfu pahandira yoga yoga uye bhagidhi roupfu pahondohwe imwe neimwe namarita mana amafuta eorivhi pabhagidhi roga roga pamupiro wembesanwa. Mumwedzi wechinomwe pamusi wegumi nechishanu womwedzi iwoyo uye napamazuva manomwe ezuva guru iroro, anofanira kuona kuti zvimwechetezvo zvavepo kuitira mipiro yokupirira zvitadzo nemipiro yokupisa nemipiro yembesanwa uye neyamafuta.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Suo Guru romunhandare yomukati rakatarisa kumabvazuva rinofanira kupfigwa pamazuva matanhatu ebasa. Asi pazuva reSabata racho rinofanira kuzarurwa uye napaZuva Guru roKugara kwoMwedzi rinofanira kuzarurwa. Ishe anosungirwa kupinda nokukamba kapaSuo Guru ari nechokunze omira panzvimbo pake amire nebango repaSuo Guru iroro. Vapristi vanosungirwa kupira mupiro wake wokupisa nomupiro wake wokuwadzana agopfugama ari kumusuo kweSuo Guru iroro. Anofanira kuzobuda asi Suo Guru racho harifaniri kuzarirwa kusvikira mumanheru. Vanhu venyika iyoyo vanosungirwa kupfugama pamusuo weSuo Guru iroro pana Tenzi pamazuva eSabata napaMazuva Makuru okugara kweMwedzi. Mupiro wokupisa unopirwa nashe kuna Tenzi pazuva reSabata ndowehwayana nhanhatu dzisina chinoshoreka padziri nehondohwe isinawo chinoshoreka pairi, uyewo mupiro woupfu hwembesanwa nehondohwe yazvo hunofanira kuva bhagidhi kwouya mupiro woupfu hwembesanwa nehwayana dzacho uchava sapaanogona napo pamwechete namarita mana amafuta eorivhi pabhagidhi. PaZuva Guru roKugara kwoMwedzi anosungirwa kupira handira ichiri duku isina chinoshoreka pairi nehwayana nhanhatu nehondohwe dzisina chinoshoreka padziri. Anofanira kuona kuti pave nebhagidhi roupfu nehandira yacho uye bhagidhiwo roupfu nehondohwe uyewo nehwayana sapaanogonawo napo pamwechete namarita mana amafuta eorivhi pabhagidhi. Panopinda ishe anosungirwa kupinda nokukamba kapaSuo Guru uye anofanira kuzobuda nokumwecheteko. “Panouya vanhu venyika iyoyo pana Tenzi, pamazuva makuru akatemwa, anenge apinda nokuSuo Guru rokuchamhembe kuzonamata anosungirwa kubuda neSuo Guru rokumaodzanyemba. Anenge apindawo nokuSuo Guru rokumaodzanyemba ngaandobuda neSuo Guru rokuchamhembe. Hakuna anofanira kudzoka nokuSuo Guru kwaanenge ambopinda nako asi kutoti munhu ose anofanira kuramba achingoenda chete mberi. Pavanopinda pacho, ishe anofanira kupinda pamwechete navo, pavanozobudawo, iye anofanira kubuda. Pamazuva makuru napamwaka yakatemwa, mupiro woupfu hwembesanwa nehandira ichiri duku unofanira kuva bhagidhi kwouya hondohwe nebhagidhi kwozoti hwayana sapaanogona napo kupa pamwechete namarita maviri amafuta eorivhi. Ishe paanoona kuti pave nomupiro wokupa nechido, ungave mupiro wokupisa kana mipiro yokuwadzana somupiro wokupa nechido kuna Tenzi, Suo Guru rakatarisa kumabvazuva acharizarurirwa. Ipapo anofanira kupira mipiro yake yokupisa kana mupiro wake wokuwadzana sezvaanoita musi weSabata. Ndipo paanozobuda, kana aenda Suo Guru robva razarirwa. “Anofanira kuita kuti pave nehwayana ine gore rimwechete isina chinoshoreka yomupiro wokupisira kuna Tenzi zuva nezuva. Ngaaitewo kuti uvepo mangwanani oga oga. Anosungirwa kuita kuti pave nomupiro wembesanwa pamwechete nawo mangwanani oga oga, hupfu hunokaroita marita mana uye mafuta eorivhi anokaroita marita maviri okunyava upfu hwacho hwekoroni somupiro wembesanwa wokupira kuna Tenzi. Iwoyu ndiwo murao womupiro wokupisa unoramba uchiitwa. Nokudaro hwayana iyoyo nomupiro woupfu hwembesanwa namafuta eorivhi zvinofanira kuitwa kuti zvivepo mangwanani oga oga kuitira kuti mupiro wokupisa urambe uchiitwa.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Kana ishe akapa chipo kumwanakomana wake upi zvake chinobva panhaka yake chichava chavanakomana vake. Inhaka yavo yavakaita zvokusiyirwa. Asi kana ishe apa chipo chacho chichibva panhaka yake achipa mumwe wavaranda vake, chichava chomuranda iyeyo kusvikira pagore rorusununguko. Ipapo ndipo pachinozodzoserwa kunashe. Vanakomana vake chete ndivo zvavo vangagone kuramba vakachengeta chipo chenhaka yake. Ishe haafaniri kutora kai zvako kenhaka yavanhu ivava achivadzinga panyika yavo. Anosungirwa kupa vanakomana vake nhaka yavo yaanoita zvokubvisa pazvinhu zvake iye pachake kuitira kuti parege kuva kana nomumwe wavanhu vangu anozotorerwa zvinhu zvake.” Akazondiunza napamusuo waiva padivi peSuo Guru kumutsara wokuchamhembe wedzimba dzinoera dzavapristi. Ipapo ndakaona imwe nzvimbo kumucheto kwadzo kwokupedzisira chaiko kumadokero. Iye akabva anditi, “Iyoyi ndiyo nzvimbo inofanira kubikwa chibayiro chokuripira mhosva nomupiro wokupirira zvitadzo uye ndipo pavanosungirwa kubikira mupiro woupfu hwembesanwa kuitira kuti varege kuiburitsa kunhandare yokunze vangadaro vakaitisa vanhu zvinhu zvinoera.” Akazondiunza kumberi kunhandare yokunze akaenda neni kumativi mana enhandare iyoyo. Pakona yoga yoga yenhandare iyoyo pakange paine ruvanze. Mukona ina dzenhandare iyoyo maiva nezvivanze zviduku zvinoita mamita makumi maviri kureba noupamhi hunoita mamita gumi namashanu, pahuna hwazvo kudaro zvakanga zvakaenzana. Nechomukati kutenderera zvivanze izvozvo, rumwe norumwe rwakanga rwakati chechetere nomutsara wamabwe paine zvoto zvakaitwa nechepasi pemitsara yacho kutenderera. Iye ndokubva ati kwandiri, “Idzodzi idzi ndodzimba dzokubikira, ndimo munozobikirwa zvibayiro zvavanhu ava navanhu vanoshanda paTemberi.” Akazodzokera neni kumusuo weTemberi, onei mvura ichibuda pazasi pomusuo weTemberi yakananga kumabvazuva (nokuti Temberi yakanga yakatarisa kumabvazuva.) Zvino mvura iyoyo yaiyerera pasi ichibva nechapazasi pamucheto pakadziva kumaodzanyemba kwomusuo weTemberi, nechokumaodzanyemba kweatari. Akazondiburitsa kunze nokuSuo Guru rokuchamhembe akatenderera neni kunze ikoko kuSuo Guru rokunze rakatarisa kumabvazuva. Mvura yaibuda kudivi rokumaodzanyemba. Akananga kumabvazuva aine tambo yokueresa mumaoko akabva aera panoita mazana mashanu amamita ndokubva afamba neni nomumvura imomo iyo yakanga ichinyudza zvokusvika muchiziso chegumbo. Akaerazve mamwe mazana mashanu emamita akafamba neni nomumvura imomo, iyo yakanga ichinyudza zvokusvika mumabvi. Akaerawo mamwe mamita mazana mashanu akabva ofamba neni nomumvura macho, yakanga zvino yosvika muchiuno. Akazoerazve mamwe mazana mashanu amamita, rwakanga rwatova rukova rwandakanga ndisisakwanise kuyambuka nokuti mvura yakanga yakwira. Yakanga yawanda zvokuti munhu aitogona kushambira mairi rwava rukova rusisayambukiki. Akazonditi, “Nhaiwe mwanakomana womunhu, waona here izvi?” Akabva adzokera neni achitevedza mahombekombe orukova irworwo. Pandaidzoka kudaro, ndakaona kumativi erwizi rwacho miti yakawanda kwazvo uku nokuku. Akati kwandiri, “Mvura iyoyi inoyerera yakananga kuruwa rwamabvazuva ichidzika nokuArabha. Kana yapinda mugungwa inoita kuti mvura yacho inake. Kwose kunoyerera rwizi irworwo, zvipenyu zvose zvinoshambira zvichararama. Imomo muchava nehove dzakawanda nokuti mvura iyoyi inoenda imomo kundoita kuti mvura yegungwa inake. Ipapo zvinhu zvose zvichararama kwose kunosvika rwizi urwu. Varauri vehove vachamira pedyo negungwa iroro; kubvira kukasipiti kuEnigedhi kusvikira kukasipiti keEnigiraimu pachange pari nzvimbo yokutambanudzira mimbure, hove dzayo dziri dzemhando dzakasiyana kwazvo sehove dzokugungwa guru. Asi zvidzengerere zvarwo zvemvura namajakwi haazova mvura yakanaka zvichasiyiwa kuri kuitira munyu. Mumahombekombe kumativi erwizi rwacho ose ari maviri kuchamera miti yamarudzi ose yemichero. Mashizha ayo haazosvava kana michero yayo kukuva. Asi kutoti ichabereka michero mitsva mwedzi nomwedzi nokuti mvura yayo inoyerera ichibva muNzvimbo Inoera. Michero yayo ichava chokudya, mashizha ayo ari mushonga wokurapisa.” Zvanzi naTenzi Mwari, “Iyi ndiyo miganhu yamuchakamuranisa nayo nyika yenhaka pakati pamadzinza gumi namaviri eIsiraeri. RokwaJosefi richawana migove miviri. Munofanira kuikamuranisa zvakaenzana. Ndakatsidzira kuzoipa kumadzibaba enyu, zvino nyika iyoyi ichava mumaoko menyu senhaka yenyu. “Uyu ndomuganhu wenyika iyoyi kuchamhembe: “Kutangira kugungwa guru zvichienda nokuHetironi kusvikira pokunge tava kupinda kuHamati nokuZedhadhi nokuBheratati nokuSibhuraimu (iri pamuganhu pakati peDhamasikusi neHamati) kusvikira kuHazerihatikoni iri pamuganhu wokuHaurani. Saka muganhu uchabva kugungwa kudzamara kusvika kuHazerenoni iri kuchamhembe kwemuganhu wokuDhamasikusi nokumuganhu wokuHamati kuchamhembe. Ikoku ndokuchave kudivi rokuchamhembe kwomuganhu. “Kudivi rokumabvazuva, muganhu wacho uchadimura napakati peHaurani neDhamasikusi uchitevedza rwizi rwaJorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsiraeri kusvikira kuGungwa roKumabvazuva kusvikira kuTamari. Ndouchava muganhu wokumabvazuva iwoyu. “Kudivi rokumaodzanyemba, uchabvira kuTamari kudzamara kumvura yokuMeribhakadheshi wotevedza kaKova keIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Iwoyu ndomuganhu wacho wokumaodzanyemba. “Kudivi rokumadokero, Gungwa Guru ndiro richava muganhu wacho kusvikira pamwe pakatarisana nokunge tava kusvika kuHamati. Ndiro richava divi rokumadokero. “Ndokukamurirana kwamuchaita nyika iyoyi pakati penyu zvichienderanawo namadzinza eIsiraeri. Munofanira kuigova senhaka yenyu iyemi navatorwa vagere mamuri vakatoberekawo vana pakati penyu. Kwamuri imi vachange vakangoita savana vevhu vomuIsiraeri. Vanofanira kugoverwa pamwechete nemi mugove wenhaka pakati pemadzinza eIsiraeri. Mudzinza ripi zvaro munenge mugere mutorwa iyeyo ndimo maanopiwa nhaka yake.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Aya ndiwo madzinza acho tichibvira kumuganho wokuchamhembe, kubva kugungwa tichienda nokuHetironi woenda nokwokunge tavakupinda muHamati kundosvika Hazarenoni (guta riri kumuganhu wokuchamhembe yeDhamasikusi kwakatarisana neHamati) ichibvira kumabvazuva ichienda kumadokero, dzinza rokwaDhani, mugove mumwechete. Dzinza rokwaAsheri, mugove mumwechete, unobvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira wakabatana nenyika yokwaDhani. Dzinza rokwaNafutari, mugove mumwechete, unobvira kumabvazuva kudakara kumadokero wakabatana nenyika yokwaAsheri. Dzinzawo rokwaManase, mugove mumwechete, unobvira kumabvazuva kudzamara kumavirira wakabatana nenyika yokwaNafutari. Dzinza rokwaEfuremu, mugove mumwechetewo, unobvira kumabvazuva kudzamara kumadokero wakabatana nenyika yokwaManase. Dzinza rokwaRubheni mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kudzamara kumavirira wakabatana nenyika yokwaEfuremu. Dzinza rokwaJudha mugovewo mumwechete unobvira kumabvazuva kudzikara kumadokero wakabatana nenyika yokwaRubheni. Nyika yokwaJudha inofanira kunge yakabatana nedunhu riya ramuchatsaura rigochengetedzwa rinobvira kumabvazuva kusvikira kumavirira riya rina upamhi hunoita gumi ramakiromita rine makiromita maviri ane hafu. Rinenge rakareba sokureba kwakangoitawo mumwe womugove yamadzinza kubvira kumabvazuva kusvikira kumadokero iine Nzvimbo Inoera mukati mayo. Dunhu ramuchatsaurira Tenzi rinofanira kuita makiromita gumi namaviri ane hafu kureba, kufara kwacho kuchiita gumi ramakiromita. Iyoyi ndoichava migove yedunhu rinoera: vapristi vanofanira kuva nomugove wakareba kuita makiromita gumi namaviri ane, chikamu chepakati nepakati chekiromita kudivi rokuchamhembe upamhi hwacho kudivi rokumadokero huchiita makiromita mashanu uye kudivi rokumabvazuva kuchiitawo makiromita mashanu, kurebawo kwedivi rokumaodzanyemba kuchiita gumi ramakiromita rina makiromita maviri ane chikamu chepakati nepakati chekiromita, Nzvimbo Inoera yaTenzi iri pakati payo. Ipapa panofanira kuva pavapristi vakateketererwa kuna Mwari, vanakomana vokwaZadhoki vakaramba vari pabasa rangu, vasina kuenda mutome, vanhu veIsiraeri pavakaenda mutome sezvakaitwa navaRevhi. Pachava pavo, chiri chikamu chavakapiwa chinobva panzvimbo inoera kwazvo yakabatana nenyika yavaRevhi. VaRevhi vachava nemugove wavo wenyika yakavambirana neyavapristi inoita makiromita gumi namaviri ane hafu kureba iine upamhi hunoita makiromita mashanu. Kureba kwayo kwose kuchaita makiromita gumi namaviri ane hafu iine upamhi hunoita makiromita mashanu. Havafaniri kuitengesa kana kutsinhanisa kana kachidimbu zvako kayo. Havafaniri kurasa mugove iwoyu wedunhu irori rakakosha nokuti idhunhu rinoereserwa Tenzi. Panenge pasara pacho pakafara kuita makiromita mashanu uye pakareba kuita makiromita gumi namaviri ane hafu, panofanira kuva pokushandiswawo zvapo neguta iroro kuita pokugara uye kuva mafuro aro. Zvino aya ndomakuriro aichange yakaita, kudivi rokuchamhembe kunoita makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu. Kudivi rokumaodzanyemba kuchaitawo makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu. Kudiviwo rokumabvamazuva kuchange kuchiita makiromita maviri ana mamita mazana maviri ana makumi mashanu, kudivi rokumavirira kuchiita makiromita maviri ane mamitawo mazana maviri ane makumiwo mashanu. Guta iroro richava namafuro akadai izvi, kuchamhembe kuchaita zana ramamita rina mamita makumi maviri namashanu uye kumaodzanyemba kuchiitawo zana ramamita rina mamitawo makumi maviri namashanu uyewo kumabvazuva kuriwo zana ramamita rina makumi maviri amamita ana mamita mashanuwo kwozoti kumadokero kuchiitawo zana ramamita rine mamitawo makumi maviri ane mashanu. Panenge pasara uchitevedza kwakareba kwacho kwedunhu pachange pachiita makiromita mashanu kumabvazuva uye makiromita mashanu kumavirira. Inenge ichitevedza dunhu rinoera, michero yayo ichava kudya kwavashandi vomuguta iroro. Vashandi vomuguta vanobva kumadzinza ose eIsiraeri vacharimamo. Dunhu iroro rose ramuchasarudza rinofanira kunge rakaenzana mativi ose divi richiita makiromita gumi namaviri ane hafu zvichisanganisira dunhu rinoera pamwechete nenzvimbo yeguta iroro. Ndima yose inosara kumativi maviri edunhu rinoera nenzvimbo yeguta iroro inofanira kuva yashe ichitangira paya panoita makiromita gumi namaviri nehafu padunhu rinoera riya ichindosvika kumuganhu wokumabvazuva, kwouya kumadokero ichitangirawo paya panoitawo makiromita gumi namaviri ane hafu ichindosvika kumuganhu wokumadokero yakatevedza migove yenyika dzamadzinza iwayo, ichava nyika yashe. Kubvisa dunhu riya rinoera neNzvimbo Inoera yeTemberi iri mukati maro kubvisawo nyika yavaRevhi nenzvimbo yeguta racho zviri pakati penyika yomugove washe, zvimwe zvose izvi, zviri pakati pemiganhu yekwaJudha naBhenjamini ndezvashe. Sezvakangoita mamwe madzinza ose, kubva kumabvazuva kusvika kumadokero, dzinza rokwaBhenjamini rinowana mugove mumwechete. Dzinza rokwaSimioni rinowana mugove waro mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumadokero wakabatana nenyika yokwaBhenjamini. Dzinza rokwaIsakari rinowana mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumadokero wakabatana nenyika yokwaSimioni. Dzinza rokwaZebhuroni rinowana mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumavirira wakabatana nenyika yokwaIsakari. Dzinza rokwaGadhi rinowanawo mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumavirira wakabatana nenyika yokwaZebhuroni. Muganhu wenyika yokwaGadhi nedivi rokuNegevhu, kumaodzanyemba, muganhu wokumaodzanyemba uchatangira kuTamari wonanga kumvura yokuMeribhakadheshi wobva waenda nokuKakova keIjipiti kundosvika kuGungwa Guru. “Ndiyo nyika yacho iyi yamuchagovera senhaka kumadzinza eIsiraeri. Iyoyi ndiyo migove yakasiyana-siyana yavo.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Nzvimbo dzokubuda nadzo muguta ndidzo idzi: dzinoti: Kuchamhembe kwacho kunoita makiromita maviri ana mamita mazana maviri ane makumi mashanu kwaerwa kunova nemisuo mikuru mitatu inoti, Suo Guru rokwaRubheni neSuo Guru rokwaJudha neSuo Guru rokwaRevhi, misuo mikuru iyoyo ichatumidzwa mazita amadzinza eIsiraeri. Kwouya kumabvazuva kuchange kuchiita makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu, ngakuve nemisuo mikuru mitatu inoti Suo Guru rokwaJosefi neSuo Guru rokwaBhenjamini neSuo Guru rokwaDhani. Kwouyawo kumaodzanyemba, kwacho kunenge kuchisvika makiromita maviri ana mazana maviri emamita ane mamita makumi mashanu kuve nemisuo mikuru mitatu inoti, Suo Guru rokwaSimioni neSuo Guru rokwaIsakari neSuo Guru rokwaZebhuruni. Kozouya kumadokero, kunoitawo makiromita maviri ana mazana maviri amamita ana mamita makumi mashanu, kuchaita misuo mikuru mitatuwo inoti, Suo Guru rokwaGadhi neSuo Guru rokwaAsheri neSuo Guru rokwaNafutari. Kureba kweguta iroro rose kuritenderera, kuchange kuchiita makiromita mapfumbamwe. Izvozvo zita reguta rinenge rava kuzonzi, “Tenziaripo.” Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimu mambo wokwaJudha, Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya kuguta reJerusaremu akarikomba, Tenzi akabva aita kuti Jehoyakimu mambo wokwaJudha akurirwe atorerwe mimwe midziyo yomuTemberi yaMwari. Nebhukadhineza akaenda nazvo kunyika yeShinari kuTemberi yake akarongedza midziyo iyoyo mumba maichengeterwa zvinhu zvamwari wake. Mambo akaudza mumwe muyuniki aiva muranda wake mukuru ainzi Ashipenazi kuti auye navamwe vanhu vechiIsiraeri asi vaifanira kuva vokumbahuru vane chiremera, uye vari majaya asina chinoshoreka ane chimiro chakarurama dziri nyanzvi chaidzo dzino ungwaru hwose zvahwo, uyewo vari vanhu vano ruzivo vanonzwisisa zvokudzidza, vanogona kushandawo mumuzinda wamambo. Akamuti avadzidzise zvinyorwa zvorurimi rwechiKaridhea. Mambo akarayira kuti zuva nezuva vapote vachipiwawo mugove wechokudya chakanaka chaidyiwa namambo newaini yaainwa. Vaizoita makore matatu vachidzidziswa, mushure menguva iyoyo, ndivo vaizenge vava vokushanda pana mambo. Pakati pamajaya iwaya paivawo naDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya vedzinza rokwaJudha. Mukuru wavayuniki, akavapa mamwe mazita. Akapa Dhanieri zita rokuti Bheriteshaza, Hananiya akamutumidza rokuti Shadhiraki. Akapawo Mishaeri zita rokuti Meshaki ndokutumidza Azariya zita rokuti Abhedhinego. Asi Dhanieri akazviti nechomumwoyo handimboda zvangu kuzvin'oresa nechokudya chamambo chakanakisisa kana newaini yaanonwa. Naizvozvo akakumbira muyuniki mukuru kuti amubvumire zvake kusazvin'oresa. Ipapo Mwari akaita kuti Dhanieri aitirwe tsiye nyoro akanzwirwa ngoni nomuyuniki, mukuru uya. Mukuru wavayuniki iyeyo akati kuna Dhanieri, “Chandinotya ndechokuti dai changamire wangu, ivo mambo, vakatema kuti imi mupiwe chokudya nechokunwa chenyu vazokuonai imi mapera kwazvo muviri masiyana nevechidiki vezera renyu. Ipapo mungatondidimurisa musoro namambo.” Dhanieri akataura kuno mumwe mutariri akanga apiwa basa nomuyuniki uya mukuru rokuona zvavanaDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya kuti, “Dai mukambotiedza isu varanda venyu kwamazuva gumi, mombotirega tichipiwa miriwo yokudya nemvura yokunwa. Ipapo imi mugocherechedza muone kutarisika kwatichange tava kuita nokutarisika kuchange kuchiita majaya aya anodya chokudya chakanaka chokwamambo. Imimi mozoitawo nesu varanda venyu, somuonero wamunenge maita.” Saizvozvo iye akabvuma zvavakareva izvi ndokumbovaedza kwegumi remazuva. Mushure memazuva gumi iwayo, pakaonekwa kuti vakanga vava kutarisika zvakanaka uye vatoita muviri kudarika majaya mamwe ose aya akanga achidya chokudya chakanaka chokwamambo. Nokudaro mutariri uya akabva abvisa chokudya chiya chakanaka newaini yavaifanira kuti vanwe ndokubva avakuvapa miriwo. Majaya iwaya ari mana kudaro, Mwari, akaapa ruzivo nounyanzvi hwezvezvinyorwa zvose noungwaru uye Dhanieri ainzwisisa zvose zviratidzo nezviroto. Kuzoti nguva iya yapera, mambo paakati majaya iwayo auyiwe nawo, muyuniki uya, mukuru akavaunza makanga muina Nebhukadhineza. Mambo akataura navo. Zvino pakati pavo vose hapana mumwe akanga akaita saDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya. Naizvozvo vakabva vava vokushanda pana mambo. Panyaya yose yose zvayo painge pava kutsvakwa ungwaru nouchenjeri pazvinhu zvavainge vabvunzwa namambo, mambo aiona kuti vaiva vari nani zvokutopeta kagumi vamapipi kana vamaminimini vaiva munyika dzose dzoumambo hwake. Dhanieri akaramba aripo kusvikira gore rechiposhi rokutonga kwamambo Sairasi. Mugore rechipiri rokutonga kwaNebhukadhineza, iye Nebhukadhineza akarota hope akashushikana mumwoyo zvikamushayisa hope. Mambo akabva ati vamapipi navamaminimini navanhu vamakona navaKaridhea vadaidzwe kuzodudzira mambo hope dzake. Saizvozvowo vakauya vakamira pana mambo. Mambo akavati, “Ndarota hope, zvino ndiri kutambura mumwoyo mangu kuti ndizive hope dzacho.” VaKaridhea vakabva vati kuna mambo muchiArameiki, “Mambo! Ngazvirambe zvakadaro muchitonga! Tirondedzerei henyu hope dzacho isu varanda venyu, tichadudzira zvadzinoreva.” Mambo akapindura vaKaridhea kuti, “Zvandinoreva ndezvechokwadi. Kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, nokudzidudzira kwacho muchabvamburwa kuitwa zvidimbu zvidimbu. Misha yenyu ichisara yava matongo. Asi mukandirondedzera hope dzacho nezvadzinoreva, ndichakupai zvipo nemibayiro noukuru hwakakura kwazvo. Naizvozvo chinditaurirai hope idzodzo nedudziro yadzo.” Vakapindurazve mambo kuti, “Mambo rondedzerai henyu hope dzacho isu varanda venyu, tikududzirei zvadzinoreva.” Mambo ndokuti, “Ndazonyatsoziva zvino kuti mava kungovemberedza nguva nokuti maona kuti zvandareva ndezvechokwadi zvokuti kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, chenyu chasara chirango, chimwechete chete. Heya matobvumirana kuzonditaurira zvokunyepa nenyaya dzakaora kusvikira mamiriro ezvinhu asanduka. Naizvozvo ndirondedzerei hope idzodzo ndibva ndazivawo kuti kana kudzidudzira munogona.” VaKaridhea vakapindura mambo vachiti, “Hakuna kana nomunhu pasi pano angagone kuita zviri kudiwa namambo izvi nokuti hakunawo changamire mambo chaiye ane simba ati ambobvunza zvakadai izvi kuna ani zvake wamapipi kana wamaminimini kunyange kumuKaridhea upi zvake. Izvi zvakumbirwa namambo, zvakaoma uye hakuna angagone kuzviisa pachena kuna mambo, asi kutoti vamwari chete vasingaiti musha mukati mavanhu.” Pamusana paizvozvi mambo akashatirwa akaviruka kwazvo nehasha akapa chirevo chokuti: Vachenjeri vose veBhabhironi ngavaurayiwe. Nokudaro chirevo ichochi chokuti: vachenjeri vanofanira kuti vaurayiwe, chakafamba. Vakatsvagawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vavauraye. Ipapo Dhanieri akapa mhinduro yakanyatsofungwa ine uchenjeri chaihwo kuna Arioku mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo uyewo munhu akanga auya kuzouraya vachenjeri veBhabhironi. Dhanieri akati kuna Arioku mukuru mukuru wokwamambo, “Zvaita sei kuti chirevo chamambo chibva chaoma kudai?” Arioku ndokuzivisa Dhanieri nyaya yacho. Dhanieri akapinda akandoteterera kuna mambo kuti amutaurire nguva yaaizopa mambo dudziro yacho. Dhanieri akabva aenda kumba kwake akazivisawo nyaya iyoyo shamwari dzake dziya vanaHananiya naMishaeri naAzariya. Akavataurira kuti vakumbire Mwari Wedenga agovanzwirawo tsitsi nezvechinhu chakavanzika ichi, kuitira kuti Dhanieri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vangwaru vose veBhabhironi. Ndipo pakazoziviswa Dhanieri usiku chakavanzika chacho muchiratidzo, ndokubva Dhanieri arumbidza Mwari Wedenga. Dhanieri akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe narini narini wose ndiye mwene woungwaru nesimba. “Anosandura nguva nemwaka; anobvisa madzimambo uye anogadzawo madzimambo; anopa uchenjeri kuna vangwaru noruzivo kuvanhu vanonzwisisa. “Anoisa pachena zvinhu zvakadzama, zvinhu zvakavanzika. Anozviziva zviri murima iye chiedza ndipo pamusha. “Ndinokutendai ndichikurumbidzai imi Mwari wamadzibaba angu nokuti makandipa ungwaru nesimba mukandizivisawo zvatakakukumbirai nokuti matizivisa imi nyaya iyi yamambo.” Naizvozvo Dhanieri akaenda kuna Arioku uya akanga apiwa namambo basa rokuparadza vangwaru veBhabhironi. Akaenda akamutaurira kuti, “Chiregai zvenyu kuparadza vangwaru veBhabhironi. Ndisvitseiwo kuna mambo nditsanangurire mambo.” Arioku akabva akurumidzawo kusvitsa Dhanieri pana mambo akasuma kuna mambo achiti, “Ndazowana munhu mukati menhapwa dzakatapwa kwaJudha anogona kuzivisa mambo dudziro iya.” Mambo akabvunza Dhanieri uya akanga ava kunzi Bheriteshaza kuti, “Unogona here kundizivisa hope dzandakarota nedudziro yadzo?” Dhanieri akadaira kuna mambo achiti, “Hakuna vangwaru kana vanhu vamapipi kana vamaminimini kunyange nyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vangagone kuonesa kuna mambo chakavanzika ichi chakakumbirwa namambo. “Asi kudenga uku kuna Mwari! Ndiye anoisa pachena zvakavanzika, akatozozivisawo imi mambo Nebhukadhineza zvichaveko mune ramangwana. Hope dzamakarota ndedzidzi idzi nezviratidzo zvakauya mumusoro menyu murere zvenyu pamubhedha ndezvizvi. Kwakauya kwamuri imi mambo murere zvenyu pamubhedha pfungwa dzezvichauya mune ramangwana, iye anodudzira zvakavanzika achikuzivisai zvinhu zvichazovapo. Asi zvakavanzika izvozvi hazvina kuoneswa kwandiri pamusana pokuti ini ndini ndazova muchenjeri chaiye kupfuura vapenyu vose. Asi zvangoitirwa kuti mambo aziviswe dudziro yacho uye kuti mugonzwisisa pfungwa dzakasvika mumusoro menyu. “Mambo, imi makatarisa mukaona, hero zimufananidzo guru. Zimufananidzo iroro rakanga rakasimba chaizvo richipenya zvakanyanyisa kwazvo rimire mberi kwenyu richityisa kutarisa. Musoro wezimufananidzo irori wakanga uri wendarama chaiyo yakanakisisa, dundundu raro namaoko ari esirivha, dumbu racho nezvidya zvakanga zviri zvendarira, makumbo aro ari esimbi. Tsoka dzaro dzakanga dzakati pamwe ndepesimbi pamwe pomunyakwe. Makatarisa kudaro, pakapipfurwa dombo risina kudimurwa namaoko omunhu, rikatema zimufananidzo racho patsoka dzaro idzodzo dzaiti apa ndepesimbi apa ndepomunyakwe rikadzipwanyanisa. Ipapo simbi iya nomunyakwe wacho nendarira yacho nesirivha iya nendarama yacho zvakapwanyaniswa zvose pamwechete, zvikabva zvaita sehundi iri paburiro pachirimo zvikapupurutswa nemhepo zvikatsakatika. Asi dombo riya rakanga ratema mufananidzo uya rakava zigomo guru rikatozara pasi pose. “Idzodzi ndidzo hope dzacho idzi. Zvino tochikutaurirai, mambo, zvadzinoreva. Imimi mambo, mambo wamadzimambo, iyemi nyakupiwa naMwari Wedenga dzinyika dzoumambo hwenyu kudai nesimba noukuru nembiri, mumaoko menyu ndimo makaiswa, vanhu nomhuka dzesango neshiri dzedenga, kwose kwose ikoko kwazvigere, akakuitai kuti muve nohutongi hwazvo zvose izvozvo. Musoro wendarama uya, ndimi wacho. Mushure menyu, kuchamuka humwe umambo hwakati dererei pane hwenyu, tevere umambo hwechitatu, umambo hwendarira huchazotonga pasi pose zvapo. Kuchazovawo noumambo hwechina huchange hwakasimba sesimbi inopwanya nokutiwo simbi inopwanya ichinyatsoparadza zvinhu zvose. Uye sesimbi inopwanya, umambo ihwohwo huchipwanya huchiparadza zvose izvozvi. Sokuonawo kwamakaita tsoka dzacho nezvigunwe zvakati apa pesimbi apa pomunyakwe, umambo ihwohwo huchange huri umambo hune mazvakemazvake. Asi pamwe nepamwe muumambo ihwohwo, pachange pakasungwa noutare sokusimbawo kwesimbi sokuona kwamakaita simbi yakasanganiswa nomunyakwe womuumbi. Uye zvigunwe sezvazvakanga zvakati pamwe ndepesimbi pamwe ndepomunyakwe saizvozvo umambo hwacho huchange hwakati apa pakasungwa noutare apa zinyekenyeke. Sokuona kwamakaita simbi yakasanganiswa nomunyakwe, saizvozvo vachaita mawirirano okuroorerana. Asi kunyatsobatana chaikoiko havambobatani, sezvinongoita simbi nomunyakwe zvisingakwanisi kunyatsobatana. Zvino mumazuva amadzimambo iwayo Mwari Wedenga achagadza umambo husingazofa hwakaparadzwa kunyange kuti masimba ahwo ambokuurirwa kune rumwe rudzi rwavanhu. Huchapwanyanisa nyika dzose dzoumambo ihwohwo huchidzisvitsa kumugumo. Asi ihwo, huchazogara narini narini wose. Sokuona chaiko kwamakaita kuti dombo rakapipfurwa richibva pagomo risina kudimurwa noruoko rwomunhu, uye kuti rakandopwanyanisa simbi nendarira nomunyakwe nesirivha nendarama zviya, Mwari mukurukuru kwazvo ndiye azivisemi mambo zvinhu zvichazovako mune ramangwana. Hope idzodzi, ihope chaidzo, uye dudziro yacho ndeyechokwadi.” Mambo Nebhukadhineza akabva ati nouso pasi kota kota achiremekedza Dhanieri, akati vanhu vapire mupiro norusenzi kuna iye Dhanieri. Mambo akati kuna Dhanieri: “Zvechokwadi, Mwari wako ndiMwari wavamwari ndiye Changamire wamadzimambo. Mududziri wezvakavanzika nokuti iwe wagona kududzira zvakavanzika izvi.” Mambo akabva apa kuna Dhanieri ukuru ukuru hwapamusorosoro nezvipo zvikuru zvakawanda akamuitawo mutongi wenyika yose yeBhabhironi nomukuru mukuru wavatungamiriri wavangwaru vose zvavo veBhabhironi. Dhanieri akasvitsawo chichemo kuna mambo, mambo akabva apa Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego basa rokuona nezvenyaya dzenyika yeBhabhironi. Asi Dhanieri akaramba achingova wepadare ramambo. Mambo Nebhukadhineza akagadzira chifananidzo chendarama chakanga chichiita mamita makumi maviri namanomwe urefu hwacho kuenda mudenga, chichiitawo mamita anenge matatu upamhi hwacho. Akachimisa mubani reDhura, munyika yeBhabhironi. Mambo Nebhukadhineza akatumira shoko rokuunganidza madzishe navatungamiriri uye masadunhu namakurukota namadzisahomwe uye namagweta navatongi vedzimhosva navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo kuti vauye paizoteketerwa kuna vamwari chifananidzo ichocho chakanga chamiswa naNebhukadhineza. Ipapo madzishe navatungamiriri vaya namasadunhu namakurukota uyewo namadzisahomwe namagweta navatongi vedzimhosva pamwechete navakuru vakuru vose zvavo venyika idzodzo vakaunganidzana kuzoteketerera chifananidzo chacho chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza kuna vamwari. Vakaungana pamberi pechifananidzo ichocho chakanga chakagadzirwa chikamiswa naNebhukadhineza. Mumwe webasa rokuzivisa vanhu akabva adaidzira achiti, “Vanhuwee, ndudzi nendudzi, ndimi nendimi! Muri kunzi: Pamunongonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, munofanira kugwadama pasi mupfugamire chifananidzo ichi chakamiswa namambo Nebhukadhineza. Kuwana ani zvake anorega kugwadama pasi achipfugama, pakarepo anobva atokandwa muvira romoto unopisa kwazvo.” Naizvozvo vanhu vamarudzi ose pavakangonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, marudzi ose iwayo nendudzi dzose nendimi vakati pasi gwadagwa vachipfugamira chifananidzo ichocho chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhineza. Nguva iyoyo ndipo pakauya vamwe vaKaridhea kuzopomera mhosva vaJudha zviri zvoruvengo chairwo. Vakapira shoko ravo kuna mambo Nebhukadhineza vachiti, “Mambo, garirai kure nomoto! Handiti imimi mambo, makatema chirevo chinoti: Munhu anenge angonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, anofanira kugwadama pasi achipfugamira chifananidzo chendarama ichi muchiti kuwana ani zvake anorega kugwadama pasi achipfugama, anofanira kukandwa muvira remoto unopisa kwazvo? Uku kwaita vamwe vaJudha vamakapa iyemi ukuru hokuona zvenyika yeBhabhironi vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Mambo, varume ivavo havanei nezvamunotaura. Havanamati vamwari venyu kana kupfugamira zvako chifananidzo chiya chendarama chamakagadzira mukachimisa.” Nebhukadhineza akabva apenga nehasha akati Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vaunzwe. Vanhu vakaenda navarume ivava pana mambo. Nebhukadhineza akavati, “Ichokwadi here, nhai Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego kuti imi hamunamati vamwari vangu kunyange kupfugamira chifananidzo chendarama chandakamisa ini? Zvino kana magadzirira kuti pamunongonzwa kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe imiwo mobva magwadama pasi muchipfugamira chifananidzo chandakaita, patsvene, uye pakanaka ipapo. Asi kana imi mukangorega kupfugama, pakarepo munofanira kubva makandwa muvira romoto unopisa kwazvo. Ndoupi mwari angakununurei mumaoko mangu?” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura mambo Nebhukadhineza vachiti, “Chatingakupirei mhinduro panyaya iyoyi iyi, hapana. Zvikange zvaitika saizvozvo, Mwari wedu watinonamata anogona kutinunura muvira romoto unopisa ndiye achatinunurawo mumaoko menyu imi mambo. Kunyange, zvazvo akarega kutinunura mochiziva, mambo, kuti hatisi kuzonamata vamwari venyu kunyange kuzopfugamira chifananidzo ichi chamakamisa.” Nebhukadhineza akaviruka nehasha ndokushanduka otsvukisira meso Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Akati moto ukuchidzirwe vira ripise kwazvo kakapetwa kanomwe kupfuura zvarinochiita. Akatuma vamwe varume vaiva magamba chaiwo ehondo yake yavarwi kuti vasunge mbiradzakondo vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego akati vavakande muvira romoto unopisa. Varume ivava vakasungwa vakapfeka hanzu dzavo kudaro nemajasi avo nenguwani dzavo dzoukuruukuru namagemenzi avo nedzimwe hanzu dzavo vakabva vakandwa muvira racho remoto unopisa kwazvo. Pamusana pokuti chirevo chamambo chakanga chakaoma kwazvo, vira rakapoorerwa kwazvo moto, rimi romoto rikauraya varume vaye, magamba vakanga vakatakura Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume vatatu ivava vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakawira muvira romoto unopisa vakasungwa kudaro. Mambo Nebhukadhineza akashamiswa akabva ati nyamu kusumuka ndokuti kumakurukota ake, “Nhaimi hatina here kukanda muvira umu, varume vatatu vakasungwa mbiradzakondo?” Vanhu vakapindura mambo vachiti, “Ndizvozvo chaizvo mambo!” Iye ndokuti, “Asi ini ndiri kuona varume vana vasina kusungwa vari kutofamba zvavo mumoto imomu vasina kukuvara. Kutarisika kwewechina wacho, kunenge kwemwanakomana wamwari.” Nebhukadhineza akabva aenda pedyo nomusuo wevira riya romoto unopisa akati, “Shadhiraki! Meshaki! Abhedhinego! Imi varanda vaMwari Wokumusorosoro, chibudai muuye pano!” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda zvavo mumoto. Madzishe navatungamiriri namasadunhu namakurukota amambo vakaunganidzana pamwechete. Vakaona kuti simba romoto harina kugona kukurira muviri wavarume ivavo, vhudzi ravo mumusoro risina kana kumbobvuraudzwa pasina chaitika, vasingambonhuwa moto. Ipapo Nebhukadhineza akati, “Ngaarumbidzwe Mwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, iye watuma mutumwa wake akanunura varanda vake, vakavimba naye akashaisa basa chirevo chamambo. Vakaisa miviri yavo parumano vachisarudza kufa pano kuti vanamate vachipfugamira mumwewo mwari zvake asi kuti kunamata Mwari wavo. Naizvozvo ndinotema chirevo chokuti: Rudzi rupi zvarwo, kana ndudzi dzipi zvadzo dzavanhu, kunyange rurimi runotaura zvakaipa nezvaMwari kuwana vane rakaipa ravanongoti bufu kutaura nezvaMwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vachabvamburwa kuita zvidimbu zvidimbu, misha yavo igoitwa matongo. Ndinodaro nokuti, hakuna mumwe Mwari anogona kununura saizvozvi izvi.” Nebhukadhineza akabva asumudzirazve pamusoro vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego imomo munyika yeBhabhironi. “Ini mambo Nebhukadhineza ndinokunyorerai tsamba imi vanhu vamarudzi ose zvawo, nduzi nendudzi ndimi nendimi imi mugere munyika yose. Dai kwamuri runyararo rwaita muchechetere mvura yeguvi. “Ini ndakaona zviri zvakanaka kukuratidzai zviratidzo nezvishamiso zvandakaitirwa naMwari Wokumusorosoro. Kukura here ikoko kwakaita zviratidzo zvake. zvishamiso zvake, harisi simba iroro. Umambo hwake ipfirapo, haupere narini, kutonga kwake ndekwechizvarwa nechizvarwa. “Ini Nebhukadhineza ndakanga ndakagarikana zvangu ndiri mumba mangu, zvinhu zvichindifambirawo zvakanaka mumuzinda mangu. Ndakarota hope dzakandityisa ndirere hangu pamubhedha. Kwakauya pfungwa nezvimwe zvandaioneswa mumusoro mangu zvikabva zvandibvundisa nokutya. Naizvozvo ini ndakatema chirevo chokuti vangwaru vose veBhabhironi vauyiwe navo kwandiri kuti vanditsanangurirewo zvinoreva hope idzodzo. Vamaminimini navamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vakapinda, ini ndikavarondedzera hope dzangu. Asi havana kugona kundizivisa zvadzinoreva. Pakupedzesera akapinda Dhanieri, uya akatumidzwa zita rokuti Bheriteshaza rinoenderanawo nezita ramwari wangu, akapinda mandaiva. Maari mune Mweya waMwari Anoera. Ndakamutaurira hope idzodzo ndichiti, ‘Iwe Bheriteshaza mukuru mukuru wavanhu vamaminimini, hedzino hope dzandakarota nditaurire zvadzinoreva nokuti ndinozviziva kuti mauri iwe mune Mweya waMwari Anoera uye kuti hakuna chakavandika chingakunetse.’ “Zvandakaoneswa mumusoro mangu ndirere pamubhedha ndezvizvi izvi. Ndakatarisa ndikaona muti pakati penyika wakanga wakareba zvikuru kwazvo. Muti iwoyo wakakura ukasimba ukaita nhungamakore chaiyo kureba uchitoonekwa kwose nekwakaperera nyika. Mashizha awo aiyevedza kwazvo, uye wakanga wakabereka michero zvokubereka zviya. Zvose zvaiwana zvokudya mauri: Mhuka dzesango dzaiwana mumvuri pasi pawo, shiri dzedenga dzichitogara zvadzo mumatavi awo. Zvipenyu zvose zvichitowana zvokudya mauri. “Ndichitarisa kudaro zvinhu zvandaioneswa mumusoro mangu ndirere saizvozvo pamubhedha ndakaona hoyo mutariri anoera achiburuka kudenga. Akadaidzira kwazvo achiti, ‘Temai muti uyu muusanzaure mapazi muukwazhure mashizha, michero yawo muiti mwarara. Regai zvenyu mhuka dziparamuke kutiza pasi pawo shiriwo dzidzvamuke mumapazi awo. Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chakasungwa nengetani dzesimbi nendarira muuswiswi hwomusango. Muregei ambonyorova nedova redenga ambova weboka romhuka muuswa hwenyika. Regai ambosandurwa pfungwa apiwe pfungwa dzomhuka zvayo kumbopera makore manomwe akadaro. Chirango ichochi ichi, chatemwa navatariri; chisungo chacho ishoko revanoera. Izvozvi zvaitirwa kuti vapenyu vazivewo kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwavanhu, uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake, kunyange vapasi pasi zvavo.’ “Izvozvi izvi ndizvo zvandakarota ndichiona, ini mambo Nebhukadhineza. Saka zvino iwe Bheriteshaza dudzira zvadzinoreva nokuti vangwaru vose zvavo venyika youmambo hwangu havana kugona kundizivisa dudziro yacho. Asi iwe unozvikwanisa pamusana pokuti mauri mune Mweya waMwari Anoera.” Ipapo Dhanieri wokutumidzwa zita rokunzi Bheriteshaza uya akambodumbirwa nazvo kwekanguva; pfungwa dzikamunetsa mumwoyo. Mambo akabva ati, “Bheriteshaza rega kunetseka nehope idzodzi kana nedudziro yadzo. Bheriteshaza ndokuti, ‘Changamire wangu dai zvazvo hope idzi nedudziro yadzo zvananga vanhu vanokuvengai.’ Muti wamakaona wakakura ukasimba zvokuita nhungamakore chaiyo kureba uchitooneka kwose zvako nekwakaperera nyika, waiva namashizha anoyevedza kwazvo wakabereka michero, zviya zvokubereka zviya zvose zvichiwana zvokudya mauri pasi pawo paripo pamumvuri wemhuka dzesango shiri dzedenga dzichitogara zvadzo mumatavi awo, muti iwoyo, ndimi, iyemi imi mambo. Makava mukuru mukuru chaiye mukavawo nesimba. Ukuru hwenyu hwakakura zvokutosvika kudenga, umambo hwenyu hwakatosvika nekwakaperera nyika. “Zvino sokuona kwamakaita mumwe mutariri anoera achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti uyu muuparadze! Asi regai chigutsa nemidzi yacho zvisare zviri muvhu chaita zvokusungwa chaizvo nengetani dzesimbi nendarira nouswiswi hwomusango, mumurege ambonyorova nedova redenga ambova kuboka remhuka muuswa hwenyika ambosaruka kanomwe akadaro.’ “Changamire heinoi dudziro yazvo: Izvozvi chirevo chatemwa noWokumusorosoro chakanangana nemi changamire wangu, mambo, chokuti muchabviswa mukati mavanhu mugondogara pamwechete nemhuka dzesango. Muchafuriswa uswa semombe muchinyorova nedova redenga, muchapedza makore manomwe makadaro, kusvikira imi mazoziva kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga humambo hwevanhu achihupa kuna ani naani waanenge ada zvake. Sokutemwa kwazvaitwa kuti chigutsa nemidzi yazvo zvisare zvakadaro, umambo hauzomborega kuva hwenyu kubvira panguva yamunozoziva kuti Wedenga ndiye anotonga. Naizvozvo imimi mambo dai waro mukandinzwawo zano rangu iri rokuti, kandai pasi zvitadzo zvenyu muite zvakarurama musiyane nouipi muitire tsiye nyoro vakadzvinyirirwa, ndipo pazvingangoitika kuti zvinhu zvikufambirei zvakanaka.” Zvose izvozvo zvakawira mambo Nebhukadhineza. Kwakati kwapera mwedzi gumi nemiviri, iye akati achifamba zvake ari padenga remba yomuzinda weBhabhironi, mambo akazvizuwidza achiti, “Handiti Bhabhironi iguta rakakura kwazvo here, iguta randakavaka ini noukuru hwangu nesimba rangu somuzinda wamambo kuitira kuti mbiri youmambo hwangu idhume.” Mashoko iwayo achiri pamuromo wamambo kudaro, kudenga kwakabva izwi rikati, “Iwe mambo Nebhukadhineza herino shoko ratinoreva kwauri: Iwewe wabviswa paumambo, uchabviswa mukati mavanhu wava kundogara pamwechete nemhuka dzesango kwauchafuriswa uswa semombe, uchasaruka kanomwe wakadaro udzidze kuti iye Wokumusorosoro ndiye anotonga umambo hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanenge ada zvake.” Pakarepo izvozvo zvakabva zvaitika kuna Nebhukadhineza. Akabviswa mukati mavanhu akabva ava kufura uswa semombe, muviri wake uchinyorova nedova redenga, dakara mvere dzake dzareba seminhenga yegondo, nzarawo dzake dzaita senzara dzeshiri. Kuzoti mazuva iwayo apera, ini Nebhukadhineza ndakatarisa nameso angu kudenga uku ndokubva pfungwa dzangu dzadzokera pamwechete. Ndipo pandakatenda iye Wokumusorosoro ndichirumbidza nokuremekedza iye Anogara narini wose: nokuti hutongi hwake hutongi hwokugara nokugara uye umambo hwake, umambo hunoramba huripo chizvarwa nechizvarwa. Vagari vapanyika vose zvavo havatomboverengwa sechinhu uye iye anoita zvinhu samadiro ake, mugurusvusvu rezvinhu zvomudenga napakatiwo pavagari vapanyika hapana angapikisane naye pasimba kana kumuti, “Ndicho chii chauri kuita.” Panguva yakareyo pfungwa dzangu dzakadzokera pamwechete uyewo mbiri youmambo hwangu noukuru hwangu nomukurumbira wangu zvakabva zvadzokera kwandiri. Makurukota angu namadzishe angu vakanditsvaga ndikazogarazve paumambo hwangu ndokubva ndatonyanya kuwedzerwa kupiwa humwe ukuru. Zvino ini, Nebhukadhineza ndinorumbidza, nokukudza nokumuremekedza iye Mambo Nyadenga nokuti mabasa ake ose akarurama, uye makwara ake ano ruenzaniso, vanhu vanozvikudza anogona kuvadukupisa. Mambo Bherishaza akaitira chiuru chamadzimambo ake mabiko makuru kwazvo akanwa waini pamberi pechuru ichocho. Bherishaza paakaravira waini, akatuma vanhu kuti vaunze midziyo yendarama neyesirivha iya yakanga yapambwa naNebhukadhineza baba wake muTemberi kuJerusaremu kuitira kuti iye mambo namadzishe ake nevakadzi vake navarongo vake vanwire mumidziyo iyoyo. Saizvozvo vakaunza midziyo yendarama neyesirivha yakanga yapambwa yacho muTemberi, mumba yaMwari kuJerusaremu. Mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake, vakanwira zvavo mairi. Vakanwa waini vachirumbidza vamwari vendarama nevesirivha nevendarira navamwari vesimbi nevezvimiti navamabwe. Pakarepo pakaonekwa minwe yechanza chomunhu chikanyora pakadzururwa pamadziro omuzinda wamambo pakatarisana nechigadzikiro chomwenje. Chanza ichocho pachainyora kudaro mambo aizviona. Mambo akasanduka uso, pfungwa dzikamunetsa mumwoyo, makumbo akarukutika, mabvi ake akarovana nokugwagwadza. Mambo akadaidzira kuti paunzwe vanhu vamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzinofembera nenyenyedzi. Mambo ndokuti kuvangwaru veBhabhironi, “Ani naani zvake anenge agona kuverenga zvakanyorwa apa izvi akandiudzawo dudziro yacho, anofanira kuti apfekedzwe hanzu dzoruvara rwehute ashongedzwe muhuro cheni yendarama, anozova mutongi wechitatu muumambo huno.” Vangwaru vose zvavo vokwamambo vakapindamo asi havana kukwanisa kuverenga zvakanga zvakanyorwa zvacho kana kuzivisa mambo zvazvaireva. Ipapo mambo Bherishaza akashushikana chaizvo mumwoyo akasanduka uso madzishewo ake zvakavaputsa musoro. Mambokadzi, pamusana pezvakataurwa namambo namadzishe ake, vakapindawo muzimba maipembererwa mabiko iwayo. Mambokadzi, vakapira shoko vachiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Regai zvenyu kunetseka mwoyo nendangariro kana kusanduka uso. Munyika youmambo hwenyu, muno mumwe murume ano Mweya waMwari Anoera Mumazuva aitonga baba venyu, chiedza nokunzwisisa noungwaru, ugwaru hunenge hwaMwari chaihwo zvaiwanikwa maari. Ipapo mambo Nebhukadhineza, baba venyu vakamuita kuti ave ndiye mukuru mukuru wavanhu vamaminimini navamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi. Chakadariso ndechichi chokuti mweya wakanaka kwazvo noruzivo, nokunzwisisa zvokududzira hope izvi, nokurapanura zvirahwe, nokunyatsogadzirisa zvinenge zvanetsa, zvaiva muna Dhanieri iyeyo akazenge apiwa namambo zita rokuti Bheritishaza. Zvino Dhanieri ngaadaidzwe agokuratidzai dudziro yazvo.” Dhanieri akaunzwamo pana mambo, Mambo akati kuna Dhanieri, “Handiti iwe ndiwe Dhanieri, mumwe wenhapwa dzokwaJudha vaya vakaunzwa kuno nababa wangu kubva kwaJudha? Ndakanzwa nezvako iwe zvichinzi Mweya waMwari Anoera uri mauri uye kuti chiedza nokunzwisisa noungwaru hwakanakisisa chaizvo zvinowanikwa mauri. Zvino vangwaru navanhu vamapipi vakambounzwa muno kwandiri kuzoverenga zvakanyorwa izvi nokundizivisa zvazvinoreva. Asi vakatadza kunditsanangurira zvinhu zvazvinoreva. Asi ndakanzwa kuti iwe unokwanisa kududzira zvinhu nokupedza nhamo. Zvino, kana ukagona kuverenga zvakanyorwa izvi ukanditsanangurira zvazvinoreva, uchapfekedzwa hanzu yoruvara rwohute ugoshongedzwa muhuro necheni yendarama uyezve unozova mutongi wechitatu muumambo huno.” Dhanieri akapindura kuna mambo achiti, “Zvipo zvenyu ngazvive zvenyu imi; mibayiro yenyu muipe zvenyu kuno mumwe. Asi kukuverengerai, mambo ndichakuverengerai zvakanyorwa izvozvi ndigodudzira zvazvinoreva. Mambo Mwari wokumusorosoro akapa Nebhukadhineza baba venyu imi, umambo noukuruukuru nembiri nechiremera. Pamusana poukuruukuru hwaakavapa, marudzi ose zvawo nendudzi dzavanhu, ndimi nendimi vaidedera kuvatya. Vaiti wavada kuuraya vouraya, wavainge vada kurega ari mupenyu vorega zvavo. Wavainge vadawo kusumudzira vaimusumudzira pamusoro. Wavaingewo vada zvavo kudzikisira pasi vaidzikisa. Asi pavakazongozvitutumadza vakaomesa mwoyo kuita kwavo kukabva kwava kwokuzvikudza, vakabviswa pachigaro chavo choumambo vakatorerwa mbiri yavo. Vakabviswa mukati mavanhu vakapiwa mwoyo womhuka. Vakandogara pamwechete namadhongi esango vofura sora semombe vachinyorova muviri nedova redenga kudzamara pavakazoziva kuti iye Mwari Wokumusororo ndiye anotonga humambo hwavanhu achihupa kuna ani naani waanenge ada zvake. Zvino iwe mwanakomana wake, iwe Bherishaza hauna kuzvidukupisa kunyangwe, zvose izvozvi waizviziva hako. Asi iwe wakatozvitutumadza zvako uchikanganisira Tenzi Wedenga. Ukatoraka iwe midziyo yomumba make ikaunzwa pauri, iwewe namadzishe ako navakadzi vako navarongo vako ukanwira mairi uchitorumbidza hako vamwari vesirivha nevendarama nevendarira nevesimbi nevezvimiti navamabwe, vasina chavanoona kana kunzwa vasina nechavanoziva. Asi Mwari, iye akabata upenyu hwako mumaoko make, iye anoti kwaanenge ati unoenda ndiko kwaunoenda hauna kumuremekedza. Ndokusaka kwatumwa chanza chichibva kwaari chikabva chasvikonyora zvakanyorwa izvi. “Zvakanyorwa apa zvacho ndezvizvi izvi. MENE MENE TEKERI UYE PARISINI. Zvazvinoreva ndezvizvi: MENE, zvinoreva kuti; Mwari averenga mazuva oumambo hwenyu akahusvitsa kumagumo. TEKERI zvinoreva kuti imi pachenyu maerwa pachikero mukawanikwa musina kukwana, PERESI, zvichireva kuti umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa kuvaMidhi nevaPezhia.” Bherishaza akatema zvaifanira kuti zviitwe, Dhanieri akabva ashongedzwa hanzu dzoruvara rwehute necheni yendarama ikaiswa muhuro make, vanhu ndokuziviswa nezvake zvokunzi ndiye akanga atova mutongi wechitatu muumambo hwenyika iyoyo. Usiku hwakarehwo Bherishaza, mambo wavaKaridhea akaurayiwa. Dhariusi muMidhi akagara paumambo aina makore aikaroita makumi matanhatu namaviri okuberekwa. Dhariusi akaona chiri chinhu chakanaka chokuti agadze madzishe zana namakumi maviri munyika youmambo hwake kuti vave munyika yose zvayo youmambo ihwohwo. Pamusoro paivava akagadzawo vamwe vatatu kuti vave madzichangamire avo, Dhanieri ari mumwe wavo vaizotumirwa nyaya namadzishe iwayo kuitira kuti mambo asawane chaanorasikirwa nacho. Zvino Dhanieri iyeyu akava munhu mumwewo chaiye akasiyana navamwe vose zvavo pamadzichangamire iwayo namadzishe acho nokuti maari maiva nomweya wakanaka kwazvo kwazvo. Nokudaro mambo akanga aronga kuti Dhanieri ave ndiye changamire wenyika yose youmambo ihwohwo somukurumukuru. Mamwe madzichangamire aye namadzishe aya vakatsvaga pokuti vamutsvate napo vagowanawo mhosva chaiyowo yokupa Dhanieri ichinangana nezvamatongerwo enyika iyoyo. Asi vakashaya mhosva yokupa Dhanieri kana chaaikanganisa nokuti aiva munhu akatendeseka, asina chaaikanganisa kana kutsveyamisa. Varume ivavo vakazonyeverana kuti, “Imika; hatimbowana mhosva yokupomera nayo Dhanieri uyu kusatoti taiwana mune zvomutemo waMwari wake.” Ipapo madzichangamire iwayo namadzishe akabvumirana kuenda kuna mambo vakati kwaari, “Mambo Dhariusi! Garirai kure nomoto. Vose zvavo madzichangamire enyika youmambo huno navatungamiriri namadzishe namakurukota namasadunhu vawirirana kuti mambo ngaaite murao ateme chirevo chokuti: Kwamakumi matatu amazuva hapafaniri kuwanikwa munhu anosvitsa mukumbiro kuna mwari upi noupi zvake kana kumunhu, kusiri kwamuri imi mambo, anofanira kuti akandwe mugomba reshumba. Zvino imi mambo chiitai chirevo ichocho musaine gwaro iroro kuti zvirege kuzosandurwa maererano nomutemo wavaMidhi navaPezhia usingasanduriki.” Naizvozvo mambo Dhariusi akasaina gwaro iroro. Dhanieri paakazviziva kuti gwaro rasainwa namambo zita ravo, akaenda kumba kwake mumba yake yapamusoro yaiva namahwindo akashama akatarisa kuJerusaremu, aipfugama pasi imomo katatu pazuva achinamata achitenda Mwari wake sezvaaingoita kare. Varume vaya vakawirirana ndiye unga unga kwaari wanei Dhanieri achinamata achinyengetera kuna Mwari wake. Vakabva vauya kuna mambo vakapira nyaya yainangana nechirevo chiya vachiti, “Nhai mambo, hamuna here kusaina chirevo chiya? Chokuti: Kwamakumi matatu amazuva hapafaniri kuwanikwa ani zvake anosvitsa mukumbiro kuna ani naani zvake, kungave kuna mwari kana kumunhu, mumakumi matatu amazuva kusiri kwamuri imi mambo, anofanira kuti akandwe mugomba reshumba.” Mambo akapindura achiti, “Ndizvozvo chaizvoizvo maererano nomutemo wavaMidhi navaPezhia usingasanduki.” Ivo ndokuti kuna mambo, “Dhanieri uya mumwe wenhapwa dzakatapwa kwaJudha, haambokendenga zvake nezvenyu imi mambo kunyange icho chirevo chamasaina. Asi anotoita munamato wake rutatu pazuva.” Mashoko iwaya paakasvika munzeve dzamambo kudaro zvakamushungurudza mwoyo akafunga zvokununura Dhanieri. Akashanda kwazvo kusvikira zuva radoka achida kumununura. Varume ivava vakarangana kuenda kuna mambo vakati kwaari, “Chizivai mambo kuti, mutemo wavaMidhi navaPezhia wokuti: Hakuna chirevo kana murao unenge wasainwa namambo unozoshandurwa.” Ipapo mambo akati atorwe, Dhanieri akatorwa akakandwa mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Dai iye Mwari wako waunoramba uchinamata angokununura.” Pakaunzwa ibwe rikanzi gwibha pamuromo wegomba iroro. Mambo akazvitsinhira neringi rake rechidhindho nemaringiwo ezvidhindho amadzishe ake zvichiitirwa kunzi parege kumbova zvapo nechinosandurwa nezvaDhanieri. Mambo akaenda kumuzinda kwake akararirotsanya usiku ihwohwo zvokumbomuvaraidza zviya pasina, hope dzikamutiza. Zvino nguva yamambakwedza mambo akamuka akaenda achikurumidza kugomba reshumba. Paakasvika pedyo negomba reshumba maiva naDhanieri, akadaidzira nezwi rairatidza kurwadziwa mwoyo achiti kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri muranda waMwari mupenyu! Ko iye Mwari wako waunodai kunamata nguva dzose akwanisa here kukununura kushumba?” Dhanieri ndokudaira kuna mambo achiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.” Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake. Mambo akatema chirevo, varume vaya vaipomera Dhanieri mhosva vakabva vauyiwa navo vakakandwawo mugomba reshumba, ivo navana vavo pamwechete navakadzi vavo. Vasati vatombosvika pasi pegomba iroro shumba dzakavaita dzakurira dzikapwapwanyura mapfupa avo. Ipapo mambo Dhariusi akanyorera tsamba kumarudzi ose avanhu nendudzi dzose zvadzo ndimi nendimi dzavagere pasi pano pose achiti: “Dai kwamuri runyararo rwaita muchechetere mvura yeguvi. Ndatema chirevo chokuti: Kwose kwandinotonga ini samambo, vanhu ngavadedere vachitya Mwari waDhanieri: “Nokuti iyeyu ndiye Mwari mupenyu anogara narini narini wose. Umambo hwake haumbofa hwakaparadzwa, hutongi hwake huchavako kudzamara kumagumo chaiko. “Anonunura uye anoponesa, anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napasi iye akanunura Dhanieri mukanwa meshumba.” Nokudaro Dhanieri akabudirira kwazvo panguva dzokutanga kwaDhariusi uyewo dzokutonga kwamambo Sairasi wechiPezhia. Mugore rechiposhi rokutonga kwaBherishaza, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope. Akaona zviratidzo mumusoro make arere pamubhedha wake. Akanyora chiroto ichocho akarondedzera muchidimu zvaakarota. Dhanieri akati, “Zvandakaona muchiratidzo usiku ndezvizvi. Ndakaona mhepo dzokumativi mana edenga dzichisimudza zigungwa guru. Ndokubva mugungwa imomo madzumbunuka zvikara zvina zvakakura chaizvo zvakasiyana. Chokutanga chakanga chakaita seshumba uye chiina mapapiro egondo. Ndakati ndakatarisa kudaro, mapapiro acho akadzurwa ndokubva chasumudzwa kubva pasi chikaitwa kuti chimire namakumbo maviri somunhu chikapiwa pfungwa dzinenge dzomunhu. “Onei hecho chimwe chikara chechipiri zvino, chakafanana nebere chakati kwirirei kumwe uku chakaruma namazino pamuromo mbabvu nhatu. Zvino ichi chakanzi, ‘Sumuka udye nyama yakawanda!’ “Pedzepo ndakaona hecho chimwewo chinenge mbada chiina mapapiro mana eshiri pamusana pacho. Chikara ichi chakanga chiine misoro mina chikabvawo chapiwa simba rokutonga. “Tevere, ndakaona zviratidzo usiku, ndakaona chimwezve chikara chechina chakashata chinotyisa kwazvo chiine simba guru kwazvo. Chaiva namazino makuru esimbi chaizhanya chichibvambura-bvambura chichitsokodzera netsoka zvainge zvasara. Chakanga chakasiyana nezvimwe zvikara zvose zvakachitangira. Chakanga chiine nyanga gumi. Ndichicherechedza kudaro panyanga idzodzo pakatukudza imwe nyanga duku ikatipura nemidzi dzimwe nyanga nhatu panyanga dzokutanga dziya. Nyanga iyoyo yaiva namaziso anenge omunhu nomuromo waitaura mazwi asingatauriki. “Ndakachitarisa kudaro, pakagadzikirwa zvigaro zvoumambo, mumwe, iye Chidzachapo ndokubva agara pachigaro chake. Hanzu dzake dzakanga dzakati ngwe-e kuchena sechando iro vhudzi iri mumusoro make, rakachena kuti mbu-u sewuru yakanakisisa. Chigaro chake choumambo chakanga chiri marimi omoto anovavaya, mavhiri acho ari moto chaiwo. Kakova chaiko kemoto kaiyerera kachitangira mberi kwake. Zviuru nezviuru zvaimushandira, gumi rezviuru rakapetwa kagumi rakanga rimire paari pakagarwa dare rokutonga, mabhuku akazarurwa. “Ini ndakatarisa pamusana pemheremhere yamazwi asingatauriki aitaurwa nenyanga iyoyo. Ndakatarisa kudaro, chikara ichocho chakaurayiwa mutumbi wacho ukaparadzwa chikabva chapiswa nomoto. Zvimwe zvikara zvose zviya zvakatorerwa simba razvo rokutonga asi zvakambosiyiwa zviri zvipenyu kwemwaka nekachinguva. “Muzviratidzo izvozvo usiku, ndakaona, hezvo nomumakore mudenga kuchiuya mumwe anenge mwanakomana womunhu. Akasvika kuna Chidzachapo akabva asumwa kwaari.” Iye ndokupiwa utongi nembiri noumambo kuitira kuti vanhu vamarudzi ose zvawo ndudzi nendudzi, ndimi nendimi vave vokumushandira, hutongi hwake, huri hutongi hwokugara nokugara husingazombofa hwakapera, umambowo hwake umambo husingafi hwakaparadzwa. “Ini Dhanieri ndakashushikana mwoyo ndikadumbirwa kwazvo nezviratidzo zvakauya mumusoro mangu. Ndakaenda pane mumwe akanga amirepo ndikamubvunza chokwadi chezvinhu izvozvi. Nokudaro akanditaurira zvazvaireva achiti, ‘Zvikara zvina zvikuru izvozvi, madzimambo mana achamuka panyika. Asi vatsvene vaiye Wokumusorosoro vachapiwa umambo vachabata umambo ihwohwo nokusingaperi narini narini wose.’ “Ini ndipo pandakada kuziva chaizvoizvo zvaireva chikara chechina chiya chakanga chakasiyana nezvimwe zvose chaityisa kwazvo, chaiva namazino esimbi nenzara dzendarira, chaibvambura chichityoranisa chichitsokodzera netsoka dzacho zvainge zvasara uye ndakada kuziva nezvaireva gumi renyanga dzaiva pamusoro wacho uyewo neimwe nyanga iya yakatukudza ikawisira pasi dzimwe nhatu, nyanga iya yaiva namaziso nomuromo waitaura zvisingatauriki uye yakanga ichiita sehuru kupinda dzimwe dzayo. Pandainge ndakatarisa, nyanga iyoyo yakaita hondo navatsvene ikavakurira kusvikira Chidzachapo auya ndokuitwa dare rokupipirira vatsvene vaWokumusorosoro, nguva ikazosvika yakapiwa vatsvene umambo.” Iye akati, “Zvinoreva chikara chechina ndezvokuti, kuchauya umambo hwechina panyika huchange hwakasiyana nohumwe humambo hwose. Huchazhanya pasi pose zvapo huchipatsokodzera nokuhupwanya-pwanya. Zvegumi renyanga dziya zvinoreva kuti muumambo ihwohu muchamuka madzimambo gumi kwozomukawo mumwezve mushure mahwo. Iyeyu uyu achange akasiyana navamwe vaya vokutanga, achakurira madzimambo matatu. Achataura mazwi okushonha Wokumusorosoro; achaonesa nhamo vatsvene vaiye Wokumusorosoro. Achafunga zvokusandura nguva nemitemo vachaiswa mumaoko make vasaruke vakadaro vagosarukazve kaviri vagosvikazve pachikamu chepakati napakati chamakei iwayo. Asi kuchagarwa dare simba rake rokutonga acharitorerwa rigororomeswa richiparadzwa zvachose. Ipapo umambo nohutongi noukuru hwoumambo hwose pasi pedenga pose zvapo huchapiwa kurudzi rwavatsvene vaiye Wokumusorosoro: umambo hwavo huchava umambo hwokugara nokusingaperi. Vose vane simba rokutonga vachavashandira vachivateerera.” “Pano ndipo pakaperera nyaya iyoyi. Asi ini Dhanieri ndakadumbirwa kwazvo nendangariro dzangu ndikasanduka ruvara, asi ndakangozvichengeta mumwoyo mangu.” Mugore rechitatu rokutonga kwamambo Bherishaza ini Dhanieri ndakaona chiratidzo mushure mechiya chandakamboona kwokutanga. Muchiratidzo ichochi ndakatarisa ndikaona ndava muguta reSusa, riri munyika yeEramu. Izvozvo muchiratidzo ichi ndakaona ndiri kurwizi rwaUrai. Ndakatarisa nameso angu onei hondohwe imire pakadaro apo kumahombekombe kwerwizi. Yaiva nenyanga mbiri, dzose dziri mbiri dzakareba, asi imwe yakanga yakareba kudarika imwe. Ndefu yacho iyi ndiyo yakapedzesera kubuda. Ndakaona hondohwe iya ichirwisa yakananga kumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba pasina mhuka yaimbofemera kumirisana nayo uye kusina nomumwe aigona kununura chawira mumaoko mayo. Hondohwe iyoyo yaitoita zvainoda zvayo, yaizvitutumadza. Pandaicherechedza kudaro, onei hero gotora richiuya richibva kumadokero richidimura nenyika yose zvayo risingatsiki pasi. Mbudzi iyoyo yaiva norunyanga rwainyatsoonekwa nechapakati pamaziso ayo. Gotora riya rakasvika kuhondohwe iya yaiva nenyanga mbiri yandakanga ndamboona imire kumahombekombe kwerwizi kuya. Rakamhanyira kwairi nehasha dzakanyanya. Ndakaona roswedera kuhondohwe iya rikabva raishatirirwa kwazvo. Rakadhuma hondohwe iyoyo rikatyora nyanga dzayo mbiri dziya, hondohwe ikashaya simba rokumirisana naro, rikabva ratoiriga pasi rikaitsokodzera pasina nomumwe akagona kununura hondohwe yacho mumaoko maro. Gotora iri rakabva razvitutumadza zvikuru kwazvo asi parakanga zvino rasimba, zinyanga guru riya rakatyoka. Panzvimbo paro pakabuda nyanga ina dzainyatsoonekwa dzakanga dzakananga mumhepo kumativi mana edenga. Mune imwe yenyanga idzodzo makabuda kamwe kanyanga kakakura kwazvo kakananga kumaodzanyemba, kakanangawo kumabvazuva uye kakanangawo nyika yembiri. Kakakurakura chaizvo zvokutosvika kugurusvusvu rezvinhu zviri mudenga. Mamwe magurusvusvu enyenyedzi kaikurumurira pasi kachitodzitsokodzera zvako. Kanyanga ikako kakazvitutumadza zvokutosvika kunyange nokuJinda regurusvusvu. Zvokupira kwaari mupiro wokupisa unogaroitwa zvikaregerwa uye Nzvimbo yake Inoera ikakurirwa. Ipapo gurusvusvu riya rakaiswa mumaoko mayo pamwechete nomupiro wokupisa pamusana pouipi. Chokwadi chakakandwa pasi, nyanga iyoyi ikaita zvayaiita zvikabudirira. Ndakanzwa mumwe anoera achitaura ndokubva mumwewo anoera abvunza uya akanga ataura kuti, “Ko izvo zvechiratidzo chomupiro wokupisa unogaroitwa izvi nezvokumbosiya zvakadaro Nzvimbo Inoera negurusvusvu racho zvichitsokodzerwa zvazvo netsoka, zvichapedza nguva yakadii?” Iye ndokuti kwaari, “Zvichapedza zviuru zviviri zvina mazana matatu amanheru namangwanani, Nzvimbo Inoera ndipo paichazochenurwazve yoita chaizvoizvo zvainofanira kunge yakaita.” Ini Dhanieri pandakaona chiratidzo ichochi ndakatvsaka kuti ndichinzwisise ndiye vhu kumira mberi kwangu mumwe aiva nechimiro chinenge chomunhu. Ndakanzwa izwi romunhu pakati pamahombekombe maviri aUrai richidaidzira kuti, “Gabhurieri tsanangurira munhu uyu anzwisise chiratidzo ichi.” Nokudaro iye akaswedera pandaiva ndimire. Paakasvika kudaro, zvakandityisa ndikawira pasi nouso. Asi iye akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu inzwa unzwe, chiratidzo ichi ndechenguva yokupedzesera chaiyo.” Achitaura neni kudaro, ndakabatwa nehope dzorufu chaidzo ndakatsikitsira uso pasi. Asi iye akandibata akandimisa netsoka dzangu. Akati: “Chinzwa ndava kukuzivisa zvichazoitika pakupedzesera chaiko kwehasha dzaMwari nokuti ndezvenguva yakatemwa yokumagumo. “Zvehondohwe yawaona iya ine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMidhi navaPezhia. Gotora rinomirira mambo wenyika yeGirisi nyanga huru yepakati pamaziso aro ndimambo wokutanga wacho. Nyanga yatyoka iya, ina panzvimbo pakamuka nyanga dzimwe ina, ndihwo umambo huna huchamuka muvanhu vake asi zvisingabve musimba rake. “Kumagumo chaiko kwohutongi hwavo, vakaipa pavanengewo zvino vakombodza, kuchazomuka mumwe mambo, munhu ane uso hune chivindi, shasha mumadimikira. Achava nesimba guru. Achaita kuti kuve nokuparadza kunotyisa achibudirira mune zvaanoita achiparadza magamba chaiwo pamwechete nevorudzi rwavatsvene. Noujarijari hwake achaita kuti unyengedzi hutekeshere, zvinhu zviri mumaoko make, uye mumwoyo make achizvitutumadza. Achaparadza vazhinji pasina zvokuyambira zviya, achatomukirawo kana nairo Jinda ramachinda, asi kuparara achaparara asi kwete kuparadzwa noruoko rwomunhu. Chiratidzo chezvamanheru nezvamangwanani charehwa chiya ndechechokwadi. Asi wochipfundira chiratidzo ichocho nokuti ndechezvichauya mushure menguva ndefu.” Zvino ini Dhanieri ndakadumbirwa nazvo ndikarara ndava kurwara kwamazuva mazhinji. Ndakazomuka zvangu ndikafamba nenyika ndichiita basa rokwamambo. Asi ndakadumbirwa mumwoyo nechiratidzo ichocho pasina kchandanzwisisa. Mugore rechiposhi raDhariusi mwanakomana waAhasuerusi wechizvarwa chavaMidhi akava mambo paumambo hwavaKaridhea, mugore rake rokutanga kutonga, ini Dhanieri ndakanzwisisa nomumabhuku uwandi hwamakore akanga ataurwa naTenzi nomuromo womuporofita Jeremiya kuti Jerusaremu inofanira kupedza makumi manomwe amakore iri dongo. Ipapo ndakatarisa kuna Tenzi Mwari ndichimutsvaka nomunamato neminyengetero nokutsanya ndakapfeka hanzu dzemasaga ndakazvidira dota. Ndakanamata kuna Tenzi, Mwari wangu ndichireurura ndichiti: “Imi Tenzi, Mwari mukurukuru anotyisa anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena kuvanhu vanomuda vanochengeta mitemo yake; takatadza, takaita zvakaipa, takakanganisa. Takapanduka tikatsaukana nemitemo nemirao yenyu. Hatina kuteerera varanda venyu vaporofita vaitaura nomuzita renyu kumadzimambo edu nokumachinda edu nokumadzibaba edu uye kuvanhu vose zvavo venyika iyoyi. Imimi Tenzi, ndimi muridzi woururami asi isusu, uso inyadzi dzoga dzoga sezvazviri pari nhasi kuvanhu vokwaJudha kuvagari veJerusaremu nokuIsiraeri yose zvayo vari padyo navari kure chaiko kunyika dzose zvadzo kwamakavadzingira pamusana pounyengedzi hwavakaita kwamuri. Tenzi, kwatiri uso inyadzi dzoga dzoga uye nokumadzimambo edu nokumachinda edu nokumadzibaba edu pamusana pokuti takakutadzirai. Imimi Tenzi Mwari wedu ndimi muridzi wetsitsi nokuregerera nokuda kokuti isu takakupandukirai tikarega kuteerera zvamakareva imi Tenzi Mwari wedu tichitevera mitemo yenyu yamakatipa nomuromo wavaranda venyu, vaporofita. Isiraeri yose zvayo yakatyora mutemo wenyu ikatsauka ichiramba kuteerera zvaunotaura. Ipapo rushambwa nemhiko zviya zvakanyorwa mumutemo waMosesi muranda waMwari zvakawodzvorerwa patiri pamusana pokuti takakutadzirai. Akatsigira shoko rake reyambiro yake yaakatipa isu navatongi vedu vaititonga nokutiunzira kwaakaita jambwa guru nokuti kwose zvako pasi pedenga hakuna kwakamboitwa zvakafanana nenhamo yakapinzwa Jerusaremu. Jambwa irori rakatiwira sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi. Asi isu hatina kukutetai imi Tenzi, Mwari wedu tichipinduka kuuipi hwedu nokugamuchira chokwadi chenyu. Naizvozvo Tenzi akatichengetera jambwa ndokuriita kuti ritiwire nokuti Tenzi, Mwari wedu akarurama mumabasa ake ose aakaita asi isu hatina kuteerera izwi rake. “Saka zvino imi Tenzi Mwari wedu imi makaburitsa vanhu venyu munyika yeIjipiti nesimba roruoko rwenyu mukazviwanira zita sezvazviri nhasi uno, isu takatadza, takaita zvakaipa. Tenzi, hasha dzenyu ngadziserere, kushatirirwa guta renyu reJerusaremu chikomo chenyu chinoera kupore maererano namaitiro enyu akarurama nokuti pamusana pezvitadzo zvedu nouipi hwamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakava chiseko chenyika chavanhu vari munharaunda yatiri. Saka naizvozvo, imi Mwari wedu, rerekerai nzeve yenyu kumunamato womuranda wenyu nokumunyengetero wake uye muchizviitira iyemi Tenzi pachenyu, cheukaiwo Nzvimbo yenyu Inoera yakadai kuva dongo. Nhai Mwari wangu rerekerai nzeve yenyu munzwe, zarurai maziso enyu muone kuparara kwataita neguta rinodaidzwa nezita renyu. Chatinodariro ndechokuti kunyengetera kwatiri kuita kwamuri kudai hakusi kuti isu takarurama, asi kuti pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda. Tenzi inzwai Tenzi regererai. Tirimukai muwane zvamungaite, musanonoke zvenyu, muchizviitiremi, Mwari wangu, nokuti guta renyu navanhu venyu zvinodaidzwa nezita renyu.” Pandainamata ndichitaura kudaro ndichireurura kutadza kwangu nokutadza kwavanhu vokwangu, vaIsiraeri ndichisvitsa kuteterera kwangu pana Tenzi, Mwari wangu ndichinamatira chikomo chinoera chaMwari wangu ndichitaura kudaro mumunamato, munhu uya, Gabhurieri wandakanga ndaona muchiratidzo pokutanga paya, akauya kwandiri achibhururuka semhepo kumhanya panguva yechibayiro chamanheru. Akanditsanangurira achiti: “Dhanieri, chandabudira iye zvino kuzokupa ungwaru nokunzwisisa. Pakutanga kwawaita kuteterera kwako ndipo pabuda shoko randauya kuzokutaurira nokuti iwe uri wapamwoyo chaiye saka wochirangarira shoko racho unzwisise chiratidzo ichi. “Vanhu vokwako neguta rokwako rinoera makatemerwa makumi manomwe amakore akapetwa kanomwe okuti kukanganisa kupere nokugumisa chitadzo nokuripira uipi nokuunza ururami hunogara nokusingaperi uye nokutsinhira chiratidzo nomuporofita nokuzodza Nzvimbo Inoera. Saka wochiziva unyatsonzwisisa kuti kubvira panotaurwa shoko rokugadzirisa nokuvakazve Jerusaremu kusvikira panouya muzodzwa, muchinda, pachaita masvondo manomwe. Richavakwa kwamasvondo makumi matanhatu nemaviri richivakwa patsva namabwe nenhandare nemigero yacho asi muchange muri munguva yenhamo. Mushure memasvondo makumi matanhatu namaviri muzodzwa achagurwa pake pachimuperera. Ipapo vanhu vomuchinda achauya vachaparadza guta neNzvimbo Inoera. Kuguma kwacho kuchauya samafashamo iri hondo chete kusvikira kumagumo, zvokuparara zvakatotemwa. Achaita chitenderano chakasimba navazhinji kwesvondo rimwechete. Kwechikamu chepakati napakati pesvondo racho, achaita kuti zvibayiro nemipiro zvimbomira. Panzvimbo pazvo zvinhu zvinosemesa Mwari parutii rweTemberi pachava nechinosemesa Mwari chiya kusvika kumagumo kusvikira chirevo chokuparadza mharadzi iyoyo chatemwa.” Mugore rechitatu rokutonga kwaSairasi mambo wePezhia, pane zvimwe zvinhu zvakaoneswa Dhanieri ainzi Bheriteshaza. Zvinhu zvacho zvaiva zvechokwadi, zvaiva zvehondo chaizvo. Zvinhu izvozvo akazvinzwisisa akanzwisisawo chiratidzo chacho. Mumazuva iwayo, ini Dhanieri ndaingunochema kwamasvondo matatu. Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvakanakisa kana nyama kana waini yakambopinda mukanwa mangu. Handina kumbozora mafuta kwamasvondo matatu chaiwo akakwana. Pazuva ramakumi maviri nechina romwedzi wokutanga ndakanga ndimire pamahombekombe erwizi rukuru rwaTigirisi. Ndakasimudza musoro ndikatarisa ndikaona mumwe munhu akanga akapfeka rineni akasunga muchiuno bhandhi rendarama yeUfazi. Muviri wake wakanga wakaita samatombo ebheriri uso hwake huchiita semheni, maziso ake achingarikira somwenje womoto, maoko ake namakumbo achivaima sendarira yakakwenenzverwa ruzha rwezvaaitaura ruchiita semhomho yavanhu. Iyeni Dhanieri ndoga ndini ndakaona chiratidzo ichocho nokuti varume vandaiva navo havana kuona chiratidzo ichocho. Asi vakapindwa nokudedera kukuru kwazvo vakatiza kundohwanda. Ipapo ndakasiyiwa ndangova ndoga ndichiona chiratidzo ichocho chikuru asi ndisisina simba. Kunyatsoonekerawo kwouso hwangu kwakasanduka zvinotyisa ndikapera simba. Ndipo pandakanzwa izwi rake kutaura. Pandakanzwa kutaura kwake ikoko ndakabva ndati kwimha pasi nouso ndokubva ndanzi koche kubatwa nehope dzorufu uso hwangu huri pasi kudaro. Ndokubva ruoko rwandibata rukandipfugamisa namabvi namagokora ndichidedera. Akanditi, “Dhanieri, munhu wapamwoyo chaiye nyatsoteerera mazwi andava kukutaurira chinyatsomira nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Paakataura neni izvozvi ndakamira ndichidedera. Akanditi, “Usatye zvako Dhanieri nokuti kubvira musi wawatangisa kuva nomwoyo wokuda kunzwisisa zvinhu izvozvi uchizvirereka pana Mwari wako, zvawaitaura zvakanzwika, nokudaro ndauya pamusana pezvawaireva. Asi muchinda wenyika yePezhia aipikisana neni kwamazuva makumi maviri nerimwechete. Asi Mikaeri mumwe wamachinda makuru akauya kuzondibatsira naizvozvo ndamusiya ikoko nomuchinda wenyika yePezhia.” Ndauya kuitira kuti unzwisise zvichawira vanhu vokwako mumazuva anotevera, nokuti chiratidzo ichochi ndechamazuva ari kuuya. Paakanditaurira saizvozvi, ndakabva ndati uso pasi tsikitsiki ndokushaya kana neromuromo. Ndokubva mumwe akaita sevanakomana vavanhu andigunzva miromo. Ndakashamisa muromo ndikataura kune uya akanga amire pamberi pangu kuti, “Changamire chiratidzo chiya ichi chakonzera kuti ndive nokurwadziwa kwandava nako handichisina simba. Ini muranda wenyu ndingataure seiko nemi changamire? Simba randiperera ini, handichakwanisi kufema.” Uya uya wechimiro chinenge chomunhu akandibatazve akandisimbaradza. Akati, “Nhaiwe, munhu wapamwoyo chaiyechaiye, usatye, rugare ngaruve newe. Shinga utsunge mwoyo.” Paakataura kwandiri ndakabva ndasimbaradzwa ndokubva ndati, “Changamire chiregai nditaure nemi nokuti mandisimbaradza.” Iye ndokuti, “Zvandauyira kwauri unozviziva here? Asi iye zvino ndava kudzokera kundorwisa muchinda wePezhia. Ndikange ndapedza naye ndipo pachauya muchinda wenyika yeGirisi. “Asi ini ndichakutaurira zvakanyorwa mubhuku rechokwadi. Hakuna kana mumwe angabatsire ari kudivi kwangu kusiya Mikaeri muchinda wokwenyu. “Asi ini mugore rokutanga rokutonga kwaDhariusi wechiMidhi, ndakasimuka kuti ndimusimbise nokumutsigira. Iye zvino ndava kukuratidza chokwadi.” “Chinzwa, kuchamuka madzimambo matatu munyika yePezhia. Wechina wacho achava mupfumi kupinda vamwe vose zvavo. Kana ave nesimba, pamusana poupfumi hwake acharunzira vamwe vose kuti varwise umambo hwenyika yeGirisi. Ndipo pachamuka mumwe mambo ane simba achatonga nesimba guru achiita zvake zvaanoda. Paachange amuka kudaro, umambo hwake huchaparadzwa hugokamuraniswa huchienda kumativi mana emhepo dzedenga. Izvozvo hunenge husingakamuraniswe pakati pevemba yake kana maererano nesimba rokutonga raaitonga naro nokuti umambo hwake huchatipurwa hugoiswa kune vamwewo vasiri ivava. “Mambo wokumaodzanyemba achange akasimba, asi mumwe wamachinda ake achange achimudarika pasimba uye umambo hwake hwaanenge achitonga huchange huri umambo hwakakura. Mushure memakore akati kuti vachaita chibvumirano. Mukunda wamambo wokumaodzanyemba achaenda kuna mambo wokuchamhembe kuti pave nokuwirirana. Asi mukunda iyeyo haazokwanisa kuramba aine simba mumaoko make. Murume wacho nomwana wake havambopagara, asi mukunda iyeyo achapfuudzwa pamwechete navanomushandira nomwana wake naiye akamuroora wacho. “Panguva iyoyo imwe nhungirwa yokudzinde kwakabva mukunda iyeyo yechirume ichamuka panzvimbo pake. Murume iyeyo achauya kuzorwisa hondo yacho yevarwi agopinda muguta retsvingo ramambo wokuchamhembe achivarwisa agovakurira. Achatakurawo achiendesa kuIjipiti vamwari vavo nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa noutare hwakanyunguruswa pamwechete nemidziyo yavo inokosha yesirivha neyendarama. Achazoitawo makore akati kuti asingarwise mambo wokuchamhembe. Iye mambo wokuchamhembe anenge aenda kunyika yamambo wokumaodzanyemba achadzokera hake kunyika kwake. “Vanakomana vake vachaita hondo vagounganidza gurusvusvu guru rehondo dzavarwi dzichauya dziri bvakapfaka dzichipfuura, dzamukirira nayo hondo kudzamara dzasvika kunhare yake yokuzvidzivirira nayo muhondo. Ipapo aviruka nehasha, mambo wokumaodzanyemba achabuda kuzorwisa mambo wokuchamhembe. Achaunganidza gurusvusvu guru ravanhu asi richakurirwa namambo wokumaodzanyemba. Paachange akurira gurusvusvu iroro, achazvitutumadza agorakatisa kuuraya makumi namakumi ezviuru. Asi haazoramba achikurira nokuti mambo wokuchamhembe achaunganidzazve gurumwandira rakakura kupfuura rekare riya. Mushure memakore akati kuti achauya aine hondo huru yevarwi aine zvinhu zvokurwisa nazvo zvakawanda. Munguva idzodzo, vazhinji vachamukira mambo wokumaodzanyemba, uye vanhu voutsinye pakati pavanhu vokwako vachamukawo kuti vazadzise chiratidzo ichochi asi vachakundika. Zvino mambo wokuchamhembe achauya ovaka chinenge musana wenzou chokukombesa nacho guta agorikurira, guta rakanyatsovakirirwa netsvingo. Varwi vehondo yokumaodzanyemba havambopamira kunyange zvikwata zvenyanzvi dzake dzavarwi nokuti simba rokumira panenge pasisina. Asi anenge angouya kuzomurwisa wacho achaita zvake zvaanoda hapana anombomirisana naye. Achamira munyika yembiri, yose zvayo ichava mumaoko make. “Achafunga zvokuuya nesimba rake rose roumambo achiuya nezvingaunze rugare agosvikozviita. Achamupa mhandara yomukadzi yokuti aparadze nayo nyika iyoyo asi hazvizoitika kana kumubatsira. Pedzepo achazopishinuka onanga kunyika dzokumahombekombe egungwa, achikukucha zvake kutora vazhinji. Asi mumwe mutungamiriri wehondo achapedza kuzvitutumadza kwake ikoko achinyatsoita kuti kuzvitutumadza kwake ikoko kumupindukire. Achazodzokako onanga kuguta retsvingo renyika yake, asi achadzadzarika agowira pasi zvokusazowanikwa. “Panzvimbo pake pachamuka mumwe achatuma wokuteresa mutero achiitira mbiri youmambo. Asi mushure memazuva mashomanana achaparara pasina zvehasha kana hondo.” “Panzvimbo pake pachamuka munhu anoshoreka asina kumbopiwa ukuru hwoumambo. Achangoyerekana apindamo agowana umambo nounyengedzi. Hondo nehondo dzichatsvairwa naye dzichiparara pamwechetewo nomuchinda uya wechitenderano. Kubvira panguva yavachaitirana chibvumirano naye iye achaita zvounyengedzi uye achava nesimba rakawanda kunyange aina vanhu vashoma. Achangozoyerekana asvika munzvimbo dzakapfumisisa kwazvo dzenyika iyoyo agoitamo zvisina ani ati amboita kana madzibaba ake kunyange madzitateguru ake zvawo achimwayanisa mukati mavo zvinhu zvokupamba nezvokutora muhondo nezvimwewo zvinhu. Nhare dzokuhwanda muhondo, achadzirongera mano asi zvichingova zvekachinguva. Achakoka simba agoita chivindi chokundorwisa mambo wokumaodzanyemba nehondo huru yavarwi. Mambowo wokumaodzanyemba acharwisawo aine hondo huru huru kwazvo ine simba asi haambopamira nokuti acharukirwa mazano. Kunyangewo vaanodya navo udobo hwake hwezvokudya zvakanaka ndivo vacho vachave mharadzi dzake. Hondo yake yavarwi ichatsvairwa, vazhinji vavo vagorakatiswa kufa. Madzimambo iwayo ari maviri achange ari pakunyengedza bedzi. Vachataurirana nhema ivo vachidya patebhuru imwechete asi zvisina chimuko nokuti kuguma kwacho kuchauya zvako nenguvawo yako yakatemwa. Ipapo iye achadzokera kunyika yake akagukuchira chaizvo zvinhu, asi mwoyo wake unenge uri pakurwisa chitenderano chinoera ichi. Ipapo achaita zvaanoda obva azodzokera kunyika yake. “Nenguva yakatemwa, achadzoka agosvikopinda kumaodzanyemba, asi rwendo runo hazvizoita sezvazvakamboita kare kaya. Sokuti ngarava dzokuKitimu dzichauya kuzomurwisa, zvino iye achatya agopishinuka odzokera kwaabva agosvikopedzera ushungushungu pakurwisa chitenderano chinoera. Achadzoka achiwirirana navanhu vakafuratira chitenderano chinoera. Hondo dzichabva kwaari dzichisvikon'oresa Temberi nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo dzicharegesawo mupiro wokupisa unogaroitwa. Uye vachamisa chimwe chisingambodiwa zvacho naMwari chinon'oresa. Achafurira achibata vanhu kumeso vanotyora chitenderano ichocho. Asi vanhu chaivo, vanoziva Mwari wavo vachamira vakasimba vachiwana zvokuita. Vangwaru mukati mavanhu'mu vachaita kuti vamwe vanzwisise kunyange zvazvo vachizoitwa murakatira kufa namapakatwa nomoto uye noutapwa nokupambwa kwamazuva akati kuti. Vachifa zvavo kudaro, vachawanawo chimwe chiduku chinovayamura, vazhinji vachabatana navo kuri kubatwa zvavo kumeso. Asi vamwe vavo vangwaru, vachafa kuri kuitira kuti vapepetwe vachinatswa pakati pavo vachene kudzamara nguva yokuguma nokuti nguva yakatemwa ichigere kusvika. “Mambo iyeyo achaita sokuda kwake zvake; achazvitutumadza achizvikudza pamusoro pavamwari vose achitaura zvinhu zvokushamisira achishora Mwari wavamwari. Achabudirira kusvikira Mwari aratidza hasha dzake nokuti zvakarongwa izvozvo zvichatoitika. Achava munhu asina hanya navamwari vemadzitateguru ake kana iye mwari wavakadzi, wapamwoyo pavo. Anenge asingamboona zvake kuti chinonzi mumwe mwari chii sezvo anenge achizvikudza pamusoro pavo vose zvavo. Iye acharemekedza mwari wamaguta nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo panzvimbo paivava, mwari akanga asingazikanwi namadzitateguru ake iyewo ndiye waachatoremekedza nendarama nesirivha namatombo anokosha nezvipo zvinodaidza mari yakawanda. Achawana zvaanoita nenhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo chaiyo akasungwa noutare kusimba achibatsirwa namwari wechirudzi. Vanenge vamugamuchira achavakudza nokuvapa mbiri achivaita vatongi vavanhu vakawanda achikamura-kamura zvake nyika achiitengesa. “Pakupera kwenguva iyoyo, mambo wokumaodzanyemba achamurwisa. Asi mambo wokuchamhembe achamuvhunga sechinyamupupuri aine ngoro dzehondo navarwi vamabhiza nengarava zhinji. Izvozvo achapinda mudzinyika vagoita bvakanyira imomo nokudimura zvavo nomo. Achapinda munyika yembiri makumi namakumi ezviuru agoita murakatira kufa. Asi vachapunyutswa mumaoko make ndevava vanoti nyika yeEdhomu neMoabhu nechikamu chikuru chaicho chavaAmoni. Nesimba roruoko rwake acharwisa chaizvo dzinyika, kana nyika yeIjipitiwo haipunyuki ipapo. Upfumi hwendarama nesirivha huchava mumaoko make nezvinhu zvose zvakakosha zveIjipiti; vokuRibhiya nevaItiopia vava kutotevera gwara rake iye. Asi nhau dzichabva kumabvazuva nokuchamhembe dzichamushayisa mazano. Ipapo achaendako achiviruka kwazvo nehasha kundotsakatisa achiparadza zvokuparadza zviya vazhinji. Ipapo achazvidzikira muzinda womusasa wematendhe pakati pegungwa negomo rembiri rinoera. Asi ikoko ndokuchava kuguma kwake pasina anomubatsira. “Panguva iyoyo ndipo pachamuka Mikaeri, iye muchinda mukuru anomiririra vanhu vokwako. Pachaita nguva yenhamo isati yambovapo kubvira pakatanga kuva norudzi rwavanhu kusvikira panguva yacho iyoyo. Asi nguva iyoyo munhu wose wokwako anenge aine zita richawanikwa rakanyorwa mubhuku, achanunurwa. Vazhinji vevavete muvhu renyika vachamuka, vamwe vachamukira upenyu husingaperi, asi vamwe vachimukira kunyadziswa nokushorwa kusina mugumo. Vangwaru vachapenya sechiedza cheziendanakuenda romudenga uye vanhu vanotendeutsira vazhinji kuururami vachapenya senyenyedzi narini narini. “Asi iwe Dhanieri viga mashoko aya unamire bhuku racho kusvikira nguva yokuguma, vazhinji vachatsvagurudza uye ruzivo ruchawedzerwa.” Ini Dhanieri ndakatarisa ndikaona vamwe vaviri vakanga vakamira, mumwe amire pamahombekombe orukova nechemhiri ino mumwewo amire pamahombekombe orukova kumhiri uko. Ndakati kumunhu akanga akapfeka rineni uya aiva kumusoro kwemvura yomurukova irwowo, “Kuchapera nguva yakadii yokuzosvika kumagumo kwezvishamiso izvozvi?” Munhu akanga akapfeka rineni aiva kumusoro kwemvura yomurukova uya akasumudzira ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga. Ndakamunzwa achipika naiye Chidzachapo kuti, “Zvichasaruka zvigosarukazve kaviri nokutozosvika pachikamu chapakati napakati chamakei acho uye kuti pachazoperawo zvokuparadza simba rorudzi runoera, zvinhu zvose izvozvi zvichange zvatoitika.” Kunzwa ndakanzwa asi handina kunzwisisa. Ndipo pandakati, “Nhai changamire wangu. Zvinhu izvozvo zvichaperera mukuita sei?” Iye akati, “Chienda zvako Dhanieri nokuti mazwi acho mashoko akavigwa akanamirirwa kusvikira panguva yokuguma. Vazhinji vachazvichenura vachinyatsozvichenesa vagova vanhu vakanatswa, asi vakaipa vachaita zvakaipa. Hapana wakaipa achanzwisisa, asi vangwaru vachanzwisisa. “Kubvira panguva icharegeswa mupiro wokupisa uye pachamiswa chimwe chisingambodiwa zvacho naMwari chinon'oresa chiya, pachaita chiuru chimwechete chamazuva china mazuva mazana maviri namakumi mapfumbamwe. Akakomborerwa zvake achamirira kusvikira mumazuva chiuru chimwechete namazana matatu anamazuva makumi matatu namashanu. “Asi iwe wochiita maitiro ako iwayo kusvikira kumagumo ugozozorora uchizova panzvimbo yakowo yawakapiwa mumazuva okupedzesera.” Herinoi shoko raTenzi, raakataurira Hosea mwanakomana waBheeri nguva yaitonga madzimambo aya okwaJudha anoti: Uziya naJotamu naAhazi naHezekiya uye iri nguvawo yaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri mwanakomana waJehoashi. Pakatangisisa chaipo Tenzi kutaura nomuromo waHosea, iye Tenzi akati kuna Hosea, “Enda undotora pfambi uite vana nayo voufeve nokuti nyika iri kuita ufeve hwakakurisa kwazvo hwokufuratira Tenzi.” Saizvozvowo akaenda akandotora Gomero mwanasikana waDhibhuraimu. Iye akaita pamuviri akamuberekera mwana mukomana. Tenzi akabva ati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti ‘Jezirieri,’ nokuti kwangosara kanguva kadikidiki kwokuti ndichiranga imba yaJehu, ndichiirangira ropa raakadeura kuJezirieri, ndichitsakatisa umambo hwokwaIsiraeri. Pazuva iroro ndichaparadza hondo yavarwi vouta yeIsiraeri muBani reJezirieri.” Akaitazve pamuviri akasununguka mwana musikana. Tenzi akabva ati kuna Hosea, “Tumidza musikana uyu zita rokuti, ‘Mushayirwatsitsi’ nokuti handichaitirazve imba yokwaIsiraeri tsitsi. Handimbofa ndakavaregerazve. Asi imba yokwaJudha, ndichaiitira tsiye nyoro ndigovanunura nesimba raTenzi, Mwari wavo. Handisi kuzovanunura nouta kana nebakatwa kana nehondo kunyange namabhiza kana navarwi vamabhiza.” Mukadzi uyu paakarumura Mushayirwatsitsi, akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Tenzi akati kuna Hosea, “Mudaidzei zita rokuti, ‘Vasivangu’ nokuti imi hamusi vanhu vangu. Iniwo handisi Mwari wenyu.” Zvakadaro zvazvo, vanhu vokwaIsiraeri vachawanda sejecha regungwa risingagone kuerwa kana kuverengeka. Panzvimbo pokuti munzi, “Vasivangu” muchanzi “Vanhu vaMwari mupenyu.” Vanhu vokwaJudha navanhu vokwaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete. Vachazvisarudzira mutungamiriri mumwechete vagomera munyika ino nokuti zuva rokusima kwaMwari iroro richava zuva guru kwazvo. Chiti kuvakomanavanun'una vako, “Vava vanhu vangu,” utaurire hanzvadzi dzako kuti, “Mava kunzwirwa tsitsi.” Tsiurai amai venyu! Vatsiurei nokuti havachisiri mukadzi wangu, uye handichisiri murume wavo, kuitira kuti vabvise pauso hwavo zviratidzo zvoufeve hwavo nezvinoratidza ufeve hwavo zviri pakati pamazamu avo. Ndingadaro ndikavapfekenura mbatya vakasara vangoita sokuuya kwavakaita musi wavakaberekwa ndivaite segwenga zvaro, ndivaite senyika yakaoma ndikavauraya nenyota. Kunyange nemiwo vana vacho, handisi kuzokunzwiraiwo tsitsi nokuti muri vana voupombwe imi, pamusana pokuti amai venyu vakaita ufeve, ivo vakabata pamuviri penyu ndivo vacho vakaita zvinhu zvakafumuka nokuti amai ava vakati, “Regai nditeveredzane nezvikomba zvangu zvinondiwanisa sadza nemvura newuru neshinda yofurakisi namafuta nezvokunwira-nwira.” Naizvozvo ndichasosa nzira yavo neminzwa ndigovavakirira nerusvingo kuti vatadze kuwana nzira dzavo. Vacharonda zvikomba zvavo vagotadza kuzvibata, vachazvitsvaka vagozvishaya. Ndipo pavachati, “Regai ndisve ndadzokera kumurume wangu wokutanga nokuti zvakanga zviri nani kwandiri pane zvazviri nhasi.” Havaimboziva kuti ndini ndaivapa mbesanwa newaini namafuta uye kuti ndaivapa matutu namatutu emari, sirivha nendarama yavaishandisa kunamata zvavo Bhaari. Naizvozvo ini ndichavatorera mbesanwa dzangu panguva yadzo newaini yangu itsva mumwaka wayo, ndichabvisa wuru yangu neshinda yangu yefurakisi yavaizowana nayo zvokupfeka. Iye zvino ndava kuzovafumura ufeve hwavo ihwohwo vaonererwe nezvikomba zvavo. Hakuna kana nomumwechete achagona kuvanunura mumaoko mangu kusasana nokufara kwavo ndichakupedza; pamwechete namazuva avo makuru neokugara kwomwedzi yavo namasabata avo namamwe mazuva avo makuru avakatemerwa. Minda yavo yamagirepisi nemiti yemionde ndichaisiya isisina chinhu, iyo yavaizuwa nayo vachiti, “Ndizvo zvomuripo wangu izvi wandakapiwa nezvikomba zvangu.” Ndichaiita kuti rive sango zvaro ichidyiwa zvayo nemhuka dzesango. Ndichavarangira mazuva makuru avanochengetera vanaBhaari pamunopisira rusenzi kwavari vachizvishongedza nemhete nezvishongo zvinokosha vachiteveredzana nezvikomba zvavo vachitondikanganwa zvavo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Naizvozvo chinzwai, ndichanyengetedza amai venyu ndiende navo kurenje nditaure navo zvinovabata mwoyo. Ikoko ndokwandichavadzosera minda yavo yamagirepisi ndigoita kuti Bani rokutambura rive musuo wechitarisiro. Ikokowo vachadaira sapamazuva avo oumhandara senguva iya yavakabuda muIjipiti. Zvanzi naTenzi, pazuva iroro, mudzimai iwe uchazondidaidza kuti, “Murume wangu.” Hauchazondidaidza kuti, “Bhaari wangu.” Ndinodaro nokuti ndichabvisa mazita avanaBhaari pamuromo pake, havachazodomwazve nezita. Pazuva iroro, kuri kuitiremi zvenyu, ndichaita chitenderano nemhuka dzesango neshiri dzedenga nezvinokambaira nepasi, zvouta nezvamapakatwa nezvehondo izvi, munyika muno, ndigozvipedza ndichiita kuti munyatsorara zvenyu pasina chinokuwanai. Ndichakuroorazve uchiva wangu nokusingaperi. Ndichakuroorazve ndigova pachokwadi newe. Zvandinenge ndoita kwauri, zvinenge zviri zvinhu zviri pamwero zvine rudo chairwo netsitsi. Ndichakuroorazve tigoitirana mukutendeka. Ndipo pachazoziva Tenzi. Zvanzi naTenzi, “Pazuva iroro, ini ndichanzwa chichemo chamatenga, matengawo achanzwawo chichemo chenyika mvura igonaya, nyikawo igopindurawo chichemo ichocho nembesanwa newaini namafuta zvichipindura chichemo chaMwarianosima.” Ndichamusimireni pachangu munyika iyoyi, ndichinzwirawo tsitsi, “Mushayirwatsitsi” ndigoti kuna, “Vasivangu,” “Imi mava vanhu vangu,” Vasivangu achizotiwo, “Ndimi Mwari wangu.” Tenzi akanditiwo, “Chiendazve undodanana nomukadzi ane chikomba iye ari pfambi, sezvakangoitawo Tenzi anoda vanhu veIsiraeri, kunyange zvazvo ivo vachitendeukira kune vamwe vamwari vachitorwa mwoyo nezvambwa zvamaonde, saizvozvo ndakamubvisira mari yesirivha yemashekeri gumi namashanu nebhari inoita masaga matatu.” Ndakamuti, “Unofanira kugara somudzimai wangu kwemazuva mazhinji. Zvoupfambiwo izvi kana zvokuenda kune mumwe murume, woregera. Iniwo ndozvandichaita kwauri.” Ndinodaro nokuti vaIsiraeri vachagara kwamazuva mazhinji vasina mambo kana muchinda, vasina chibayiro kana musimboti unoera zvawo kana hanzu yeefodhi kana terafimu zvaro. Mushure maizvozvo vaIsiraeri vachadzoka zvavo kuzotsvaka Tenzi, Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo. Vachauya kuna Tenzi vachitya kumakomborero ake mumazuva achauya iwayo. Chinzwai munzwe shoko raTenzi, “Imi vanhu veIsiraeri, nokuti Tenzi ane mhosva yaari kupa imi vagari venyika ino, pamusana pokuti chokwadi hapasisina, mwoyo wakanaka hapasisina, kana kuziva Mwari chaiko hapasisina munyika'mu. Kupika nhema nokureva nhema nokuuraya, nokuba nokuita upombwe, uye utsinye husina muganhu, uyezve kuuraya kusina magumo. Ndokusaka nyika ichichema kudai, vosewo vagere mairi, vapera simba, uyewo mhuka dzesango neshiri dzedenga kunyange hove dzegungwa dzichabviswa.” “Asi zvokupomerana mhosva regai zvenyu kupomerana, kana kutsoropodzana nokuti chaiye wandinopa mhosva ndiwe iyewe mupristi. Uchadzadzarika masikati machena muporofitawo achadzadzarika pamwechete newe nousiku. Ndichaparadza Isiraeri amai venyu ivavo. Vanhu vangu vaparara nokushaya ruzivo pamusana pokuti iwe wakaramba ruzivo, iniwo ndinokuramba kuti uve mupristi kwandiri. Pamusana pokukanganwa kwawakaita mutemo waMwari wako, iniwo pachangu ndichakanganwawo vana vako. “Sokuwanda kwamakaita, imi vapristi ndokuwandawo kwakaita zvitadzo zvenyu kwandiri. Mhiri yenyu ndichaisandura ndikaiita nyadzi. Zvitadzo zvavanhu vangu ndizvo zvinokuraramisai ndokusaka muchitosuwira kuti dai zvitadzo zvatonyanya kuwanda. Sezvinenge zvaita mupristi ndizvowo zvichange zvakaita vanhu ndichakurangirai maitiro enyu ndichatsividza zviito zvenyu. Kudya, muchadya zvenyu asi musingaguti, zvoufeve izvi muchiita asi pasina vana vanoberekwa nokuti makafuratira Tenzi muchifarira ufeve. “Waini newaini itsva zvinotora vanhu mwoyo. Vanhu vangu vanondobvunzira kuchinhu chechimuti zvacho mudonzvo wavo uriwo unovaitira maminimini, nokuti mweya woupfambi wakavateteretsera mutome. Vanosiya Mwari wavo vachienda kundoita zvoufeve. Zvavanoita zvacho ndezvokuti, vanondopira zvibayiro pamusoro pamakomo vachipira mipiro pamusoro pezvikomo pasi pemuoku nomupopura nomuti womuterebhini nokuti mumvuri wayo wakanaka. “Ndokusaka vanasikana venyu vachiita zvavo upfambi, varoorawo venyu vachiita zvavo upombwe. Handisi kuzoranga vanasikana venyu ivo vanoita upfambi vacho kunyange ivo varoora venyu vacho vanoita upombwe nokuti varumewo pachavo vanotsaukawo nepfambi. Vanopirawo zvibayiro pamwechete nemhombwe kana zvifeve zvetemberi. Zvino vanhu vasinganzwisisi vachasvika mukuparara. “Iwe Isiraeri kunyange zvazvo uchiita ufeve vokwaJudha ngavarege kubatwa mumhosva idzodzo. Ngavarege kundopira kuGirigari kana kukwira kuBhetiavheni kunyange kupika vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu.’ ” Isiraeri itsvuura muromo chaiyo, tsiru zvaro risingabatiki, pakadaro, Tenzi ndipo paangavafudze here sehwayana zvadzo dziri mumafaro akafara? VokwaEfuremu vapindwawo nomweya wokunamata zvifananidzo, varegei vakadaro. Chikwata zvacho chezvidhakwa zvavanhu vanongoda zvoufeve. Vanotorwa mwoyo chaizvo nezvinhu zvakafumuka kutodarika chaizvo kuda kwavanoita zvinhu zvinovapa chimiro. “Vapindwa nomweya iwoyu unovatututsa, zvezvibayiro zvavo izvozvi zvichavanyadzisa.” “Chinzwai, imi vapristi, muteerere imi vemba yokwaIsiraeri, muteye nzeve imi vemba yokwamambo, nokuti mhosva yacho ndeyenyu pamusana pokuti imi, ndimi makava chokuteya nacho vanhu kuMizipa'ku, mumbure zvawo wakachinzi wareware kuteyewa paGomo reTabhori, mukaita hunza yakadzika kuShitimu asi ndichakurangai mose zvenyu. VokwaEfuremu ndinovaziva hapanawo chokwaIsiraeri chakavanzika kwandiri nokuti kutaura kuno imi vokwaEfuremu makaita ufeve imi vokwaIsiraeri man'ora.” Twavanoita twava kuvatadzisa kudzokera kuna Mwari wavo nokuti mweya woufeve uyu uri mavari, uye havazivi Tenzi. Kuzvitutumadza kwevokwaIsiraeri, kwava kuvapfukira, vokwaEfuremu vachadzedzereka nemhosva yavo iyoyo, vokwaJudhawo vachadzadzarika pamwechete navo. Nezvibayiro zvemombe nezvimwewo zvipfuwo vachaenda kundotsvaka Tenzi, asi havazi kuzomuwana nokuti kwavari akabva. Havana kuva pachokwadi naTenzi nokuti vakaita vana vomusango. Zvino Zuva guru rokugara kwomwedzi ndorichava kuparara kwavo iyemi neminda yenyu. Ridzirai hwamanda muGibhea, nebhosvo muRama, muridze huhwi muBhetiavheni. Narwoyi rwokurwisa imi vokwaBhenjamini Efuremu ichasara yangova nyika zvayo, isina chinhu pazuva rayo rokurangwa. Zvandiri kutaura ini ichokwadi ichocho mukati memadzinza okwaIsiraeri. “Machinda okwaJudha angovawo savanhu vanobvisa hoko yomuganhu, hasha dzangu dzichadirana pavari semvura. VokwaEfuremu vari kudzvinyirirwa kutongwa kwavo ndokwekumbunyikidzwa, pamusana pokuti vakaramba voda zvisina maturo. Naizvozvo ini ndava sechipfukuto kune vokwaEfuremu uye sechiundudzi kune vemba yokwaJudha. “VokwaEfuremu pavakaona chirwere chavo, vokwaJudha vachionawo ronda ravo, ipapo vokwaEfuremu vakaenda kuAsiria votuma nhume kuna mambo mukuru uya. Asi zvokukurapai haasi kuzokwanisa kana kuporesa ronda renyu. Ndinodaro nokuti kune vokwaEfuremu ndichaita seshumba chaiyo, kune vemba yokwaJudha ndichaita semhondoro ichiri kuzvinzwa. “Ini iyeni pachangu ndichavabvambura ndigoenda zvangu ndichizvuzvurudza pasina anogona kununura. “Ndichadzokerazve kunzvimbo yangu kusvikira vabvuma mhosva yavo vachizonditsvaga, vapindwa nenhamo kudaro vava kunditsvaga vachiti.” “Uyai tidzokere kuna Tenzi nokuti ndiye akatibvambura kudai, kuti atirape; ndiye akadai kutirova, achatisunga maronda. Mushure memazuva kana maviri zvawo achatimutsurudza, mune rechitatu iri achitimutsa kuti tigare zvedu naye. Ngatizivei, ngativavarirei kuziva Tenzi kuuya kwake kuri pachokwadi sokusvika kunoita mambakwedza, achauya kwatiri semvura inonaya semvura yomunhuruka inodiridza nyika. “Ndodiiko nemi vanhu vokwaEfuremu? Ndodiiko ini nemi vanhu vokwaJudha? Rudo rwenyu, rwakaita semhute yemangwanani, sedova zvaro risingatani kunyungudika. Ndokusaka ndakavapanha nevaporofita, ndichivasakadza kuuraya namazwi omuromo wangu. Kutonga kwangu kunoti bha-a kuvheneka sechiedza. Ndinodaro nokuti chandinoda ini, rudo chairwo kwete zvibayiro, uye kuziva Mwari pane kupirwa mipiro yokupisa. “Asi savanhu vakatyora Chitenderano ikoko havana kuva vanhu vakatendeseka kwandiri. Gireadhi iguta ravaiti vezvakaipa, guta revadeuri veropa. Sezvinongoita makororo kuhwandira vanhu ndizvozvo zviri kuitwa navapristi, vanouraya vanhu panzira inoenda Shikemu. Ndozvavanoita chaizvo zvakaipisa. Ndakaona chinhu chakaipisisa muimba yokwaIsiraeri VokwaEfuremu vanoita ufeve vachin'oresa vanhu vokwaIsiraeri, nemiwo vokwaJudha muchakohwa mubayiro wenyu wakakumirirai. Pandichadzosa kutapwa vanhu vangu.” Ndichiporesa vokwaIsiraeri, kuipa mwoyo kwevokwaEfuremu kuchaiswa pachena, nezviito zvakaipa zveSamaria zvichange zvichiiswawo pachena nokuti vanoita ujarijari uku mbavha dzinopaza kunze uku, mabhinya achipamba. Asi havambofungi kuti inini ndinoyeuka zvakaipa zvavo zvose. Zvino zvitadzo zvavo zvakavakomberedza ini ndiri kuzviona zvangu. “Vanotobata mambo kumeso nouipi hwavo vachibata kumeso machinda nounyengedzi hwavo. Vose zvavo, imhombwe, dzinoita sehovhoni yapisa, ine mubiki amborega zvake kukuchidzira moto, achimbokanya mukanyiwa kusvikira watutumuka nembiriso. Pazuva guru ramambo, machinda akarwara nomudumbu, vakabva vadziirwa newaini mambo akatobatana zvake maoko nevashonhi. Ndinodaro nokuti sokupisa kunoita hovhoni, ivo vanotorwa mwoyo netwavanoronga, usiku hwose zvahwo hasha dzavo dzinorariropfumbuka, mumangwanani umu dzichin'anduka serimi romoto. Vose zvavo vanopisa sehovhoni vanoparadza vatongi vavo. Madzimambo avo ose akaurayiwa hapana kunyange mumwechete wavo anonamata kwandiri. “VokwaEfuremu vava kudyidzana nevechirudzi, vokwaEfuremu vava kunge mbodza zvayo yechingwa. Vatorwa vari kuvasveta simba asi ivo havasi kumbozviziva, vhudzi ravo rava neimvi, asi havasi kuzviziva. Kuzvitutumadza kwevokwaIsiraeri kwavapfukira zvino asi havasi kudzoka kuna Tenzi, Mwari wavo, kunyange kumutsvaka pamusana pezvose izvozvi. VokwaEfuremu ava vakaita senjiva yakazungaira inoita zvisina musoro, vanoridzira mhere yorubatsiro kuIjipiti pedzepo voenda kuAsiria. Vachiendako kudaro, ndichati pamusoro pavo mumbure wangu ware ware ndivarakatise seshiri dzedenga ndichivarangira zviito zvavo zvakaipa. “Zvichavawana zvavo ivo vakatetereka vachibva kwandiri, kuparadzwa ndokwavo, nokuti vakandipandukira. “Kuvanunura, ndaigona zvangu kuvanunura asi vanotaura manyepo nezvangu. Havanamati kwandiri nemwoyo wose asi vanohwihwidza kuchema vari pamibhedha yavo. Pavanokumbira mbesanwa newaini vanonamata vachizvicheka-cheka muviri vachitondipandukira zvavo. Kunyange zvazvo, ndiri ini zvangu, ndakavadzidzisa ndichivasimbaradza, asi ivo vakaita bangano rokutondipandukira zvavo. Vanotendeukira kundonamata Bhaari vachiita souta hwakakombama-kombama. Machinda avo achafa nehondo yebakatwa pamusana pokuzvizuwidza kwavanoita nomuromo wavo. Izvozvi izvi zvichavaita kuti vave chiseko chaicho kunyika yeIjipiti.” “Nomuromo wako, chiridza bhosvo sezvo vemba yokwaTenzi vatova nyama yemagora nokuti vakatyora chitenderano changu ini navo vakatyora mutemo wangu. Kwandiri ndokwavanochema vachiti, ‘Nhai Mwari wangu! Inga isu vokwaIsiraeri tinokuzivai wani!’ Asi vokwaIsiraeri ivavo, vakasema zvinhu zvakanaka, muvengi achavaronda. “Vakagadza madzimambo avo vasina kumboti ini ndive mukati mazvo; vakazvisarudzira machinda vasina kundizivisa nesirivha yavo, nendarama yavo, vakazvigadzirira zvifananidzo zvokunamata kuri kuzvitsvakira kuparadzwa. Ndinosema kwazvo mhuru yako yaunoeresa, iwe guta reSamaria. Ndinovirukira nehasha vanhu ivavo. Kuchasvika rinhi chaizvo kuti vokwaIsiraeri vazova vanhu vavatsvene. Inga wani zvakabva muIsiraeri. Zvakagadzirwa nemhizha mhuru iyoyo, haisi Mwari. Mhuru yacho inoereswa muSamaria ichapwanyiwa kuti mwarara nokuti vanodyara mhepo vachakohwawo chamupupuri; mashanga zvawo akangomira asina hura asingape upfu. Dai aipa upfu, vatorwa ndovaitohudya zvavo. Asi Isiraeri yamedzwa iyi. Yatova zvayo somudziyo usina basa mukati mevechirudzi. VokwaIsiraeri idhongi zvaro, romusango riri kudzungaira roga nokuti vakakwira kuAsiria, vokwaEfuremu vakaita zvokutondotenga zvikomba. Kunyange zvazvo vakaita zvokubhadhara vatorwa vokuvakuta, mukati mevechirudzi ndichavakokorodza zvangu iye zvino uno vamborega kwakanguva kadiki zvokugadza mambo namachinda. “Kunyange vokwaEfuremu vakavaka zvavo atari neatari dzokupfupirira zvitadzo, atari dzacho dzava atari dzokuparira zvitadzo. Ndikavanyorera zviuru zvemitemo yangu; ivo, vanotoshama kuti ndochii ichochi. Zvokupira zvibayiro ndizvo zvavanofarira vanoitaka chibayiro chenyama vodya nyama iyoyo asi Tenzi haambozvifarira iye zvino ava kutorangarira uipi hwavo agorangira zvitadzo zvavo. Vachapishinukira kwakare kuIjipiti, nokuti vokwaIsiraeri vakakanganwa Musiki wavo vakavaka mizinda. VokwaJudha vakavakawo maguta etsvingo akawanda asi ndichatuma moto pamaguta avo, ucharoromesa nzvimbo dzavo dzokuzvidzivirira muhondo.” Musafare imi vokwaIsiraeri, musapembere kufara sezvinoita marudzi nokuti makaita ufeve muchifuratira Mwari wenyu. Makafarira muripo woufeve nezvinowanika pamaburiro ose ose. Paburiro pacho napachisviniro chewaini hapana chokudya chavanowanapo, uye zvewaini itsva zvichavaperera. Munyika yaTenzi, havacharamba vageremo asi kutoti vokwaEfuremu vachadzokera kuIjipiti uye vachazodya chokudya chakan'ora vava kuAsiria'ku. Ikoko zvokuti ivo vapire mipiro yokuteura yewaini kuna Tenzi, panenge pasisina, vasisakwanisi kumufadza nezvibayiro zvavo. Chokudya chavo chichange chichiita sechokudya chaparufu chinon'oresa wose anochidya nokuti chokudya chavo chichange chiri chokupodza nzara yavo chete chisingaendwe nacho kumba yaTenzi. Zvino pazuva guru rakatemwa muchaitei, uye pazuva guru raTenzi? Ndinodaro nokuti izvozvi, vari kutoenda mukuparadzwa. Ijipiti ichavatuta vachindovigwa kuMemufisi. Hunye huchati memete pazvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha mumisha yavo yematendhe muchava neminzwa. Mazuva okurangwa asvika mazuva okutsiva auya vokwaIsiraeri muchazoziva izvozvo. Kwamuri imi; muporofita, ibenzi romunhu; munhu anenge afemerwa naMweya, munhu anopenga, pari pamusana pouipi hwenyu hwakaipisisa uye pamusana peruvengo rwenyu rwakanyanyisa. Muporofita ndiye munhu ane basa rokutarisa zvinoitika muvanhu vokwaEfuremu, vanhu vaMwari wangu. Asi muporofita ari kuteyiwa nzira dzake dzose seshiri achivengwa mumba yaMwari wake. Vakanyatsoti tindindi kwazvo kunyura muzviito zvakaora somumazuva eGibhea. Mwari acharangarira uipi hwavo agovarangira zvitadzo zvavo. “Kuwana kwandakaita Isiraeri yainge magirepisi omusango nepandakaonawo madzibaba enyu ndakaaona semaonde okutangisa mumwaka wawo wokutanga. Asi pavakasvika kuBhaaripeori vakazvipira kunamata Bhaari vakabva vava chinhu chinosemesa kutofanana nechinhu chavakanga vava kuda ichocho. Mbiri yevokwaEfuremu ichabhururuka kutiza seshiri. Zvokusununguka mwana pasisina, zvokuzvitakura zvapera kusisina zvokubata pamuviri. Kunyange zvazvo vakarera vana ndichaita kuti vafirwe kusvikira pasisina anosara. Zvichavawana zvavo pandichavafuratira.” Sokuona kwangu, vanhu vokwaEfuremu vatova nyama yemagora. VokwaEfuremu chavo chete kutungamirira vana vavo kundourayiwa. Imi Tenzi vapei zvamunenge mada kuvapa, vapei kuti vaparadzike pamuviri uye mazamu akaoma. “Uipi hwavo hwose hwabvira kuGirigari ndiko kwandakatangisira kuvavenga kwaita kuti ndivarange Pamusana pouipi hwamabasa avo ndichavadzinga mumba mangu. Handichambodazve; machinda avo ose imhandupandu chaidzo dzevanhu. VokwaEfuremu, vava muti zvavo wakarohwa mudzi wawo ukaoma havachabereka muchero. Kunyange vakabereka vana ndichauraya vana vavo vapamwoyo.” Mwari wangu achavarasa, nokuti havana kumuteerera; vachava vadzungairi mukati mavanhu vechirudzi. VokwaIsiraeri vaiva mugirepisi wakanyatsopasa kwazvo uchibereka michero yawo. Waiti ukawadzura kubereka michero, ivo ndopovovaka atari neatari. Sokubudirirawo kwaiita nyika yavo ndokunyatsogadziridzwawo kwavaiita shongwe dzamabwe dzakamisirwa vamwari vavo. Vane mwoyo wokunyengera; nokudaro vanofanira kupfukirwa nemhosva yavo. Tenzi achaparadza atari dzavo achipaza shongwe dzavo dzamabwe dzakamisirwa vamwari vavo. Ndinodaro nokuti iye zvino izvi vachati, “Hatina mambo nokuti hatityi Tenzi. Zvino mambo chaangatiitirewo pakadaro ndechipi?” Kutaura kwavo, ndezvepamuromo chete, kana voita zvitsidzirano vanoita mhiko dzechipameso. Saka kutonga kwakarurama kwava bise runomera mumvinga dzomumunda. Vagari vomuSamaria vari kudedera vachityira zvimhuru zvokuBhetiavheni. Vanhu veko vachazvichema navapristi vazvo, vanamati vezvifananidzo vachazvichema, mbiri yazvo inenge yasasamuka. Naichowo chichatakurwa kuendwa nacho kuAsiria somutero kuna mambo mukuru. VokwaEfuremu vachanyadziswa, vokwaIsiraeri vachinyadziswa nezano ravo ravanotevedza. Mambo weSamaria achaparara sakabanzu kanoyangarara pamvura. Nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira kuna Avheni, chitadzo chevokwaIsiraeri, dzichaparadzwa. Minzwa norukato zvichamera paatari dzavo, vachati kumakomo, “Tihwandisei,” kuzvikomo vachiti, “Tiwirei.” “Imi vaIsiraeri, kubvira pamazuva aye okuGibhea, makapara zvitadzo, kubvira ipapo makaramba muchingotadza. Hondo haichavasvikira here kuGibhea ikoko. Pandinenge ndada, nzenza dzevanhu idzodzo ndichadziranga, uye vachamomoterwa nevechirudzi pavanenge vachirangirwa zvitadzo zvavo zvakapetwa. “VokwaEfuremu vainge vari tsiru rakapingudzwa raifarira kupura. Ndichaisa joko pamutsipa waro wakanaka, ndichabopa vokwaEfuremu; vokwaJudha ndivo vacharima vokwaJakobho vachatimbinura pasi. ‘Zvidyirirei ururami mukohwe mwoyochena bandirai minda yenyu yakararira nokuti ino ndiyo nguva yokutsvaka Tenzi kuti auye kuzonayisa ruponeso pamuri.’ Makarima uipi mukakohwa zvisina ruenzaniso, makadya muchero wenhema. Pamusana pokuti makavimba nengoro dzenyu dzehondo nokuwanda kwavarwi venyu vehondo, naizvozvo mukati mevanhu venyu muchamuka manyongori ehondo, nzvimbo dzenyu dzokuzvidzivirira muhondo dzose zvadzo dzichaparadzwa, sokuparadzwa kwakaita Sharumani guta reBhetiaribheri pazuva rakarwiwa hondo, madzimai akaitwa kanyamakanyama pamwechete nevana vavo. Izvozvo ndozvichaitwawo kwamuri imi vemba yokuBhetieri, pari pamusana pouipi hwenyu hwakakura kudai. Mambo wokwaIsiraeri achanyatsotsakatiswa mambakwedza.” “Isiraeri paakanga achiri mwana mudiki, ndaimuda. Ndakadaidza mwana wangu iyeyu kubva kuIjipiti. Pandaimudaidza ndopaainyanya kutsaukana neni. Vakaramba vachipira zvibayiro zvavo kuna Bhaari uye vachipisirawo rusenzi kuzvifananidzo zvokunamata. Asi iyeni ndini ndakadzidzisa vokwaEfuremu kufamba. Ndaivatakura mumaoko asi zvokuziva kuti ndini ndaivarapa, havana kuziva. Ndaivatungamirira netambo yengoni pamwe neyamabhande orudo. Ndakavasimudza somwana muduku pachipfuva changu ndikakotama ndichivapa chokudya. “KuIjipiti havachadzokera asi Asiria ndiyo ichavatongao nokuti vakaramba kudzokera kwandiri. Hondo ichatsviriridza mumaguta avo ichityoranisa zvihuri zvemisuo mikuru yavo, ichivaparadza mutsvingo dzavo dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Vanhu vangu vaomarara nenyaya yokutsaukana neni. Saka joko nderavo hapana anovakumura. “Ndingagokurasai seiko nhai vokwaEfuremu? Ndingagokutii kuche mumaoko avo seiko nhaimi vokwaIsiraeri? Ndingagokubatai somubatiro wandakaita guta reAdhima here, kana zvandakaita kuguta reZebhoimu? Mwoyo wangu unoramba mukati mangu. Mwoyo wangu wetsitsi uri kutoramba uchiwedzera kukudai. Handicharatidza hasha dzangu dzinotyisa, vokwaEfuremu, handichavaparadza zvakare nokuti ini ndiri Mwari handisi munhu, iye Anoera, ndiri pakati penyu uye handisi kuuya kuzoparadza. Vachatevera Tenzi iye achidzvova seshumba, achidzvova kudaro vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero. Vachauya vachibhabhama seshiri vachibva kuIjipiti, senjiva, vachibva kunyika yeAsiria ndichivadzosera kumisha yavo, ndozviri kutaura Tenzi.” VokwaEfuremu vandikomberedza namanyepo, vembawo yokwaIsiraeri vachindikomberedza nounyengedzi. Asi vokwaJudha vanofamba naTenzi uye vakatendeseka kuna iye Anoera. VokwaEfuremu vanoita ushamwari nemhepo, vachiswerodzingirirana zuva rese nemhepo yokumabvazuva zvayo. Nhema noutsinye, ndizvo zvavanowanza vachiita zvibvumirano neAsiria vachituta mafuta kuaenda kuIjipiti. Tenzi ane mhosva yaari kupa vokwaJudha, acharanga vokwaJakobho maererano nezviito zvavo achivatsividza maererano nezviito zvavo. Jakobho, achiri mudumbu, akanga akabata chitsitsinho chomukoma wake, kuzoti ava murume mukuru akaita tsimba naMwari. Jakobho akaita tsimba nomutumwa akabva akurira, akachema achimukumbira chikomborero. Akasangana naMwari paBhatieri ipapo Mwari akataura naye, iye Tenzi, Mwari wehondo nehondo dzavarwi, zita rake raanodaidzwa naro izita rokuti Yahweh. Saka imimi, norubatsiro rwaMwari wenyu, tendeukai, mubatisise rudo noruenzaniso mumirire Mwari wenyu nguva dzose. “Munhu wemhindu dzokutengesa zvinhu ane chikero mumaoko chinonyengedza, chaanongoda chete kudzvanyirira vamwe. VokwaEfuremu vanotozviti zvavo, ‘Hauoneka, ndiri mupfumi, ndazozviwanira upfumi.’ Asi upfumi hwavo hwose ihwohwo haumbovapunyutsa pamhosva yavakapara. Ndini Tenzi, Mwari wenyu, ndakakubvisai kunyika yeIjipiti. Ndichaitazve kuti mugare mumisasa yamatendhe sezvinoitwa panguva yamazuva makuru akatemwa. Ndini ndaitaura kuvaporofita, ini ndini ndaionesa zviratidzo nezviratidzo, ndichipawo nokuvaporofita mienzaniso. MuGireadhi mune uipi, vanhu vasina maturo; muGirigari muchipirwa zvibayiro kuhandira, atari dzavo dzichaitawo semirwi zvayo yamatombo mumigero yomumunda.” (Jakobho akatizira kunyika yeAramu iye Isiraeri kwaakandoita ugariri achiitira mukadzi, akafudzira hwai mukadzi.) Tenzi akaburitsa Isiraeri kuIjipiti achizviita nomuporofita, nomuporofita akavachengetedza. VokwaEfuremu vakamudenha zvakaipisisa; nezvo Tenzi achamurega achipfukirwa nemhosva yokudeura ropa. Tenzi achamutsividza kutsvinya kwake ikoko. Painge vokwaEfuremu votaura, vanhu vaidedera, vairemekedzwa kwazvo muIsiraeri asi vakapara mhosva, pamusana paBhaari, vakafa. Iye zvino vari kungoramba vachipara zvitadzo pamusoro pezvimwe; vari kuzviumbira zvifananidzo zvesimbi, zvifananidzo zvokunamata zvakanyatsogadzirwa zvesirivha zvose zviri zvinhu zvakaitwa namaoko avanhu vachitoti kuvanhu, “Pirai zvibayiro kune zvizvi,” vanhu vachitotsvoda zvimhuru. Naizvozvo vachangoita semhute yamangwanani; kana sedova risingatani kupera, sehundi inondimuka paburiro, kana kuti soutsi hunobuda napahwindo. “Ndini Tenzi, Mwari wako kubvira kunyika yeIjipiti. Hakuna mumwe Mwari waunoziva kusiya ini, kunze kwangu hakunazve mumwe muponesi. Ini ndini ndaikuchengeta murenje munyika yakaoma. Ndakakufudzai mukaguta. Pamakanga maguta, makabva mapindwa nomwoyo wokuzvikudza mukabva mandikanganwa. Saka ndichava seshumba kwavari, ndichavahwandira munyasi menzira sembada. Ndichavawira sebere rabvutirwa vana varo. Ndichavatsemura dundundu ndigovazhanya seshumba sokubvamburwa kwavangaitwe nechikara chesango. “Ndakakuparadzai, imi vaIsiraeri ndiani achakununurai? Zvino iye mambo wenyu aripiko kuti akuponesei? Machinda enyu ose aripiko kuti akudzivirirei? Ivo vamaiti, ‘Tipeiwo mambo namachinda.’ Ndakakupai madzimambo ndakashatirwa nehasha, ndikavabvisawo nehasha. “Uipi hwevokwaEfuremu hwakapfundirwa, chitadzo chavo chakachengetwa mupfimbi. Zvaita semimba yarwadza yokuberekwa kwavo, mwana wacho oita zungairwa otadza kuuya kumusuo wedumbu. Ndovanunura here mumaoko menzvimbo yavachakabvu? Ndovanunura here kurufu? Nhai rufu nhamo dzaunoonesa dziripiko? Nhai nzvimbo yavachakabvu kuparadza kwako kuripiko? Zvetsiyenyoro handichisina. Kunyange zvazvo akapasa setsanga dutu rokumabvazuva dutu raTenzi richauya richatutuka kubva kurenje; chitubu chavo chichaoma kuti papata, chisipiti chake chichaoma kuti gwa. Richarozva upfumi hwavo nechose zvacho chakakosha. Samaria ichapfukirwa nemhosva yayo nokuti yakapandukira Mwari wayo. Vacharakatiswa kufa nehondo yepfumo, pwere dzavo dzichipwatitsirwa pasi madzimai avo akazvitakura achitumburwa.” Imi vaIsiraeri, dzokerai kuna Tenzi, Mwari wenyu nokuti makadhadharika pamusana pouipi hwenyu. Chidzokerai kuna Tenzi namazwi okuteterera mundoti kwaari, “Tibvisireiwo uipi hwose mugamuchire waro zvinenge zvakanaka tichipira muromo watinotaura kwamuri sehandira. Nyika yeAsiria haimbotiponesa zvamabhiza, hatisiri kuzoatasva. Hatisiri kuzombotaura kuzvinhu zvatakagadzira namaoko edu tichizviti, ‘Nhai Mwari wedu.’ ” Mamuri imimi, nherera ndomadzinowana nyasha. “Umhandupandu hwavo ihwohwo ndichahurapa, ndichavada zvangu pachena nokuti kuvashatirirwa kwandanga ndakaita, ndazvidzora. Ndichaita sedova kuIsiraeri igotumbuka seruva rejongwe igodzika midzi somupopura nhungirwa dzayo dzichipasa uko nokoko, kuyevedza kweIsiraeri kuchaita sekwemuorivhi, kunhuwirira kwayo, kuchiita sekwenyika yeRebhanoni. Vachadzoka kuzogara mumumvuri wangu vagoita sebindu rizere nezvirimwa. Vachapfumvudza somugirepisi kunhuwirira kwavo kuchiita sewaini yeRebhanoni. Nhaimi vokwaEfuremu Munei nezvifananidzo zvokunamata? Inini ndini ndinokupai mhinduro ndini ndinokuchengetai. Ini ndakaita somusaipurasi unogara wakasvibira, kwandiri ini ndokunobva michero yenyu.” Munhu wose ano ungwaru, ngaanzwisise zvinhu izvozvi, ani naani zvake anofunga ngaazive zvinhu izvi, nokuti makwara aTenzi makwara akarurama, uye vakarurama vanofamba maari asi vakaipa vanogumburwa nawo. Shoko raTENZI iri rakauya kuna Joeri mwanakomana waPetueri richiti; Inzwai munzwe izvi, imi vechikuru chikuru, rerekerai nzeve mose, imi vagari venyika iyi! Ko zvakadai izvi zvakamboitikawo here mumazuva enyu, kana mumazuva amadzibaba enyu? Zvirondedzerei kuvana venyu, vana venyu vaudzewo vana vavo, vataurirewo chimwewo chizvarwa, kuti zvakasiiwa nomuteteni, vana vemhashu, zvadyiwawo nehwiza dzegwatakwata; uye zvakasiyiwamo zvasiyiwawo nemhashu dzegute, zvadyiwawo nehwiza dzegwatakwata; uye zvakasiyiwa nehwiza dzegwatakwata zvadyiwa nemhashu dzinorozva. Pepukai imi zvidhakwa muhwihwidze kuchema muridze mhere imi mose vanwi vewaini pamusana pewaini itsva nokuti maibvutirwa iri pamuromo. Nokuti kwaita rudzi rwavanhu vauya kuzorwisa nyika yangu, rudzi rune simba rusingaverengeki. Mazino arwo, mazino eshumba chaiwo, mbangura dzamazino arwo anenge mazino eshumba hadzi. Rwaparadza migirepisi yangu rukatsemura-tsemura mikuyu yangu. Rwakayikwatura ganda rayo rukarikanda pasi, matavi ayo akati ngwerewere kuchena. Ungudzai semhandara yakapfeka masaga iri kuchema chikomba chayo chousikana. Zvomupiro wembesanwa nomupiro wokuteura, pamba yaTENZI zvamiswa, vapristi vari kuchema, ivo vashandiri vaTENZI. Minda yaparara, ivhu riri kuchema nokuti mbesanwa dzaparadzwa. Waini yavakupera mafuta eorivhi avakupwa. Ngazvikudumbirei imi varimi veminda. Ridzai mhere vachengeti vemigirepisi, chemai koroni nebhari nokuti zvokukohwa mumunda zvaparara. Mugirepisi wasvava, muonde warezuka. Mupomegiraneti nomurara nomuapuru nemiti yesango yose zvayo yauna. Rufaro muvanhu rwapera. Pfekai masaga muungudze imi vapristi, hwihwidzai kuchema, imi vashandi vepaatari. Pindai murare makapfeka masaga imi vashandiri vaMwari wangu nokuti zvomupiro wembesanwa nomupiro wokuteura zvamiswa mumba yaMwari wenyu. Tsaurai zuva rokutsanya kokerai musangano wezvokunamata muunganidze vakuru vakuru navagari vose zvavo venyika iyi kumba yaTENZI, Mwari wenyu mucheme kuna TENZI. Hameno zvenyu nezuva iroro nokuti zuva racho raTENZI rava kusvika rinouya sezuva rokuparadza kwaSamasimbaose. Handiti chokudya chatiperera takatarisa uye mhururu norufaro zvakatiperera mumba yaMwari wedu? Mbeu dzakauna mumavhinga akaoma, mokuchengetera mbesa maparara matura angova matongo zvawo nokuti mbesa dzashayikwa. Idzo mhuka rangove jemedzanwa! Matanga emombe azvishayira pazvo nokuti mafuro hapachisina kunyange namatangawo ehwai zvavakukangaidzikawo. Ndochema kwamuri TENZI nokuti moto waririmisa mafuro erenje rimi romoto rapisa miti yose zvayo yesango. Kana nemhukawo dzesango dziri kuchema kwamuri nokuti hova dzemvura dzaoma motowo wakarorormesa mafuro erenje. Ridzai hwamanda muguta reZioni ridzai bhosvo reyambiro pagomo rangu rinoera. Vagari venyika ino vose zvavo ngavadedere nokuti zuva raTENZI riri kuuya, ratova pedyo. Zuva iroro izuva rerima nezarima, zuva ramakore, zuva rakati kwirindindi kusvipa. Soutonga hwatsvuka pamakomo, ungati rudzi rwavanhu rune simba rusina kumbovapo nyange pasichigare uye kuti rwakadaro haruchazovapo mushure madzo pamakore ezvizvarwa zvose zvazvo. Dzemberi kwacho ungati moto unororomesa. Dzeshure moto zvawo unoririma. Mberi kwadzo uku, nyika yacho ungati ibindu reEdheni; asi shure kwadzo, kwava renje zvaro raparara. Hapana chinodzipunyuka. Dzinotarisika samabhiza, dzichimhanya samabhiza ehondo. Dzinoriridza sengoro dzehondo, dzinosvetuka pamisoro yamakomo sokubarika kwerimi romoto riri kuroromesa mashanga, sehondo ine simba yarongwa kuti ichirwa hondo. Pakudziona marudzi avanhu achatambura, zviso zvose zvichati suruduru! Savarwi chaivo, dzavakutanga kurwisa; savarwi, madziro chairo dzinoati karakata kukwira, dzinofamba imwe neimwe yakati tande nenzira yayo dzisingatsauki gwara radzo. Hadzisundidzirani, imwe neimwe inongofamba iri mugwara rayo chete. Dzinodimura nomukati mezvombo zvehondo dzisina kana anodzimisa. Dzinosvetukira pamusoro peguta, dzinomhanya napamusoro petsingo; dzinokwira dzichipinda mudzimba, dzichipinda nepamahwindo sembavha. Nyika inondengendeka mberi kwadzo, matenga achidedera, zuva nomwedzi zvinokwidibirwa, nyenyedzi dzorega kupenya. TENZI akaburitsa izwi rake mberi kwehondo yake nokuti hondo yake igurusvusvu guru kwazvo anoita zvinhu zvaanenge areva, ane simba nokuti zuva raTENZI izuva guru rinotyisa kwazvo. Ndiani angaritirire? “Asi kunyange nazvino, ndozviri kutaura TENZI dzokerai kwandiri nomwoyo wenyu wose muchitsanya nokuhwihwidza nokuungudza. Uye bvarurai mwoyo yenyu kwete hanzu dzenyu. Dzokerai kuna TENZI Mwari wenyu nokuti iye ane nyasha netsitsi. Haakurumidzi kushatirwa uye azere nomwoyochena, anozvidzora orega kuita zvakaipa.” Ndiani angazive, zvimwe angapinduke akazvidzora zvake achibva azosiya makomborero mushure make, zvokuti vanhu vanogona kupira mupiro wembesanwa nomupiro wokuteura kuna TENZI, Mwari wenyu? Ridzai hwamanda muguta reZioni, tsaurai zuva rokutsanya, kokerai musangano wezvokunamata, unganidzai vanhu, chenurai gungano ravanhu unganidzai vakuru vakuru, kokorodzai vana, kunyangewo vacheche vachiri kuyamwa. Chikomba ngachisiye gota racho mwenga asiyewo nhanga yake. Pakati pekamba kepamusuo neatari, vapristi, vashandiri vaTENZI ngavahwihwidze kuchema vari ipapo vachiti, “TENZI we-e regai vanhu venyu vari vapenyu musaite kuti nhaka yenyu ive chiseko zvacho, kana kuva dimikira pakati pamarudzi. Madirei kuti marudzi ataurirane kuti, ‘Mwari wavo aripi?’ ” Ipapo TENZI akaita shungu nenyika yake, akanzwira vanhu vake urombo. TENZI akapindura vanhu vake achiti, “Chinzwai, ndava kukutumirai mbesanwa newaini namafuta eorivhi zvokuti muchaguta uye handichazombokuitazve kuti muve chiseko chenyika pakati pamarudzi avanhu. Ndichaendesa wokuchamhembe kure nemi ndigomudzingira murenje zvaro renyika, nhungamiri dzake dzavarwi ndidziti rororo mugungwa rokumabvazuva, varwi vake vokutsigira shure ndichivati ririri mugungwa rokumadokero. Gutukutu rokunhuwa kwake richasumuka, nokuti yaakapara ihuru. “Iwe nyika rega zvako kutya! Fara upembere nokuti TENZI akaita zvinhu zvikuru! Imi mhuka dzesango regai henyu kutya nokuti mafuro okurenje asvibirira ruswiswi, miti inobereka michero yayo muonde nomugirepisi, yanyatsobereka michero yakakwana. “Farai henyu imi vana veguta reZioni mupembere kufara naTENZI, Mwari wenyu, nokuti akakunayisirai mvura yomunhuruka achiita zviri pamwero akakuwodzvorerai mvura yomunhuruka neyamatsutso sakare. Maware achazara nembesanwa mokusvinira muchifashuka waini namafuta eorivhi. Ndichakudzoserai zvinotsivana namakore okudyirwa nemhashu dzegute nehwiza dzegwatakwata uye neemhashu dzinorozva nedzomuteteni, hondo yangu huru yandakatumira pakati penyu. Muchadya zvakawanda zvokutoguta muchirumbidza zita raTENZI, Mwari wenyu anenge akuitirai zvishamiso. Nezvo vanhu vangu havazofa vakanyadziswazve. Ndipo pamuchazoziva kuti ndiri mukati meIsiraeri uye kuti ini, TENZI ndini Mwari wenyu, hakuna mumwe uye vanhu vangu havazombofa vakanyadziswazve. “Mushure mezvo zvichazoitika kuti ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vakwegura venyu vacharotswa hope, vechidiki venyu vachaona zviratidzo. Kunyange pavaranda zvavo vechirume nevechikadzi, mumazuva iwayo, ndichadururirawo Mweya wangu pavari. “Ndichaita zviratidzo mumatenga napanyika zvokudeuka kweropa nemoto nebwititi routsi. Zuva richasandurwa kuva rima, mwedzi ugoita ropa, zuva guru raTENZI rinotyisa kwazvo risati rasvika. Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTENZI achaponeswa nokuti muGomo reZioni nomuJerusaremu muchava navanhu vanopunyuka sokutaura kwakaitawo TENZI uye mukati mevanenge vapunyuka muchava navanhu vakadaidzwa naTENZI.” “Ndinodaro nokuti, tarisai mumazuva iwayo, panguva iyoyo pandichadzosera pakare vokwaJudha neveJerusaremu makomborero avo, ndichakokorodza ndudzi dzose dzavanhu ndidzidzikise kubani reJehoshafati ndigovagadza dare ikoko ndichiitira vanhu vangu, ivo nhaka yangu, Isiraeri, nokuti vakavamwararisa mukati memarudzi uye vakaganhura-ganhura zvavo nyika yangu. Vakatoitirawo vanhu chi'ange; mukomana chaiye vachimutsinhanisa nepfambi; musikana vachimutengesa newaini vakatoinwa. “Ndochii chamuri kundiitira ichochi? Nhaiwe Tire newe Sidhoni nemi matunhu ose avaFirisitia? Mune chamuri kunditsividza here? Kana kuti muri kunditsividza? Ndichakasikawo kuita kuti zviito zvenyu zvibva zvakupfukirai nenguva isipi nokuti makatoraka imi sirivha yangu nendarama yangu mukatakura henyu upfumi hwangu hwakakosha kutemberi dzenyu. Makatengesaka imi vanhu vokwaJudha neJerusaremu kuvaGiriki muchivaendesa kure nenyika yavo. Asi zvino ndichavamutsa kuti vachibva kunzvimbo dzacho kwamakavatengesa uye ndichaita kuti mupfukirwe nezviito zvenyu. Ndichatengesawo vana venyu vakomana navasikana kuvaJudha, ivowo vagovatengesa kuvanhu veSabia kurudzi rwokure nokuti TENZI ataura. “Zivisai zvinhu izvi mukati memarudzi zvokuti, ‘Gadzirirai kurwa hondo, mutsai magamba mwoyo, varwi vehondo vose ngavaswedere padyo, ngavakwidze kuno. Pfurai miromo yenyu yamagejo muiite mapakatwa mupfure zvigero zvenyu zvokupemhenesa kuita mapfumo. Ndonda ngaazvitiwo, ndiri gamba rehondo ini. Itai chipatapata muuye, imi mose marudzi ari munharaunda'mu, unganidzanai ikoko. Burutsai magamba enyu ehondo imi TENZI.’ ” “Marudzi ngaamuke akwire kubani reJehoshafati nokuti ikoko ndokwandichagadza dare marudzi ose omunharaunda'mu. Pinzai jeko nokuti kukohwa kwasvika. Pindai mutsike-tsike nokuti mokusvinira waini machiti shutu kuzara. Makate ari kufashukira nokuti uipi hwavo hwakura.” Gurumwandira, negurumwandira muBani rokutemera zvinofanira kuitwa nokuti zuva raTENZI roswedera muBani rokutemera zvinofanira kuitwa. Zuva nemwedzi zvichaora kusviba nyenyedzi dzigorega kupenya. Izvozvo TENZI achadzvova ari muguta reZioni achiburitsa izwi rake ari muJerusaremu matenga nenyika zvigondengendeka asi TENZI ndiye diziro ravanhu vake nhare chaiyo yokuhwanda hondo kuvanhu veIsiraeri. Nezvo muchaziva kuti ndini TENZI, Mwari wenyu akaita musha wake muguta reZioni gomo rangu rinoera uye Jerusaremu richava guta rinoera. Vatorwa havazofazve vakatsikanomo. Zvino pamusi iwoyo makomo achachucha waini inonaka zvikomo, zvichiyerera mukaka uye tukova twose twokwaJudha twuchayererawo mvura chitubu chichatubuka mumba yaTENZI chichindodiridza Bani reShitimu. Ijipiti ichava renje zvaro Edhomu ichiva renje risina chinhu kutsivawo utsinye hwakaitwa kuvanhu vokwaJudha nokuti vakadeura ropa risina mhosva munyika yavo. Asi nyika yokwaJudha ichagara vanhu nokusingaperi Jerusaremuwo ichagarwa pazvizvarwa zvose zvazvo. Ndichatsividza ropa ravo uye handisi kuzombopembedza munhu ane mhosva, nokuti TENZI anogara muguta reZioni. Aya ndiwo mazwi okusuma aAmosi mumwe wavafudzi vokuTekowa, chaiva chiri chioneso chaitaura nezveIsiraeri. Izvozvo maive muri munguva yaUziya mambo wokwaJudha, uyewo muri munguva yaJerobhoamu, mwanakomana waJoashi mambo wokwaIsiraeri makore maviri kundengendeka kwapasi kusati kwaitika. Akati, “TENZI ari kudzvova ari kuZioni, ari kudaidzira ari kuJerusaremu mafuro avafudzi ari kuchema mvura, pamusoro pegomo reKarimero paomerwa.” TENZI ari kuti, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kweDhamasikusi kutosvika runa handimborega kuiranga, nokuti vakakuya vanhu vokuGireadhi nezvirhei zvesimbhi. Saka ndichatumira moto kumba yaHazaeri, ucharoromesa nzvimbo dzaBhenihadhadhi dzokuzvidzivirira nazvo muhondo. Ndichatyora zvihuri zveDhamasikusi ndigotsakatisa vagari vomubani reAvheni naiye ane umambo kuBhetiedheni. Vanhu veSiria vachatapwa vachiendeswa kunyika yeKiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI. Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kweguta reGaza kutosvika zvaro runa, handimborega kuriranga nokuti vakatapa vanhu rudzi rwose zvarwo rwavanhu vakaenda narwo kundovati kuche mumaoko eEdhomu. Saka iniwo ndichatumira moto kurusvingo rweGaza, ucharoromesa nzvimbo dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Ndichatsakatisa vagari veAshidhodhi naiye ane umambo kuAshikeroni. Nesimba roruoko rwangu, ndicharanga guta reEkironi, marimbirimbi akasara avaFirisitia achaparara,” ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari. Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kweguta reTire kutosvika runa, handimborega kuriranga; nokuti vakakukura kutapa vanhu, rudzi rwose rwavanhu vakaenda narwo kuEdhomu vachirega kurangarira chibvumirano chavakaitirana paukama. Naizvozvo ndichatumira moto parusvingo rweguta reTire ugororomesa nhare dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.” Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yeEdhomu kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga, nokuti yakaronda hama dzayo namapakatwa, zvetsitsi yakakanda pasi, yakaramba achingoviruka nehasha yakaramba iine pfundipfundi mumwoyo. Naizvozvo ndichatumira moto kuTemani ugororomesa nhare dzokuBhozira dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.” Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwevokwaAmoni kutosvika zvavo runa, handimborega kuvaranga; nokuti vakatumbura madzimai akazvitakura okuGireadhi vachiitira kukudza-kudza nyika yavo. Nezvo ndichatungidza moto murusvingo rweguta reRabha uroromese nhare dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Pachava nejemedzanwa pazuva rehondo iyoyo ichaita sedutu remhepo pazuva rechamupupuri. Mambo wavo achatapwa agoendwa naye, iye pamwechete namachinda ake,” ndizvo zviri kutaura TENZI. Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yeMoabhu kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga nokuti vakapisa zvokurotesa mapfupa amambo wokuEdhomu. Nokudaro ndichatumira moto panyika yeMoabhu ugozhirimisa nhare dzeguta reKerioti dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. VaMoabhu vachafira mukati mebongozozo iroro muruzha imomo, mabhosvo achirira. Ndichapfuudza mutongi wacho mukati maro ndigouraya machinda ose omo,” ndizvo zviri kutaura TENZI. Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yokwaJudha kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga; nokuti vakaramba mutemo waTENZI vakarega kuchengeta mirao yake. Asi zvifananidzo zvavo zvenhema zvokunamata izvi, zvaitevedzwa namadzibaba avo, zvakavarasisa. Naizvozvo ndichatumira moto panyika yokwaJudha uririmise nhare dzeJerusaremu dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.” Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yevokwaIsiraeri kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga; nokuti vanototengesa nemari vanhu vakarurama, vachitotengesa varombo neshangu mbiri. Vanotsokodzera varombo musoro muvhu renyika, vachisaidzira varombo kurutivi. Baba nomwanakomana wavo vachitadza nomushandi wechisikana mumwecheteyo, kun'oresa zita rangu rinoera. Vanoti pasi rare rare pedyo neatari yose yose pahanzu dzavakafanobatiswa navarombo somuripo vachinwira mumba yamwari wavo waini yavanhu vanenge varipiswa. “Asi ini ndakavatsakatisira vaAmori vakanga vakareba semiti yemisidhari, uye vakanga vakasimba somioku. Iyeni ndini ndakaparadza michero yake mudenga'mu nemidzi yawo pasi'pa. Uye ndakakuburitsai munyika yeIjipiti ndikakutungamirirai kwamakore makumi mana murenje, kuti mundotora nyika yavaAmori muiite yenyu. Ndakaita kuti vamwe vevana venyu vakomana vave vaporofita, uye kuti mamwe majaya enyu ave vaNazari. Hazvisiri izvo chaizvoizvo izvi here, nhaimi vanhu veIsiraeri?” Ndizvo zviri kutaura TENZI. “Asi munotoita kuti vaNazari vanwe waini muchirambidza vaporofita kuporofita. Ndichakutsikirirai pasi panzvimbo penyu chaipo sokutsikirira pasi kunoita ngoro izere nezvisote. Vanozviti ndivo vamhanyi chaivo, zvokumhanya izvozvo zvichavaperera, vane simba, simba racho richapera, kunyangewo negamba chairo richatadza kuzviponesa upenyu. Iye anopakata uta haambopamira. Shasha yokumhanya semhepo ichakoniwa kuzviponesa, kanawo wokumhanya namabhiza kuzviponesa upenyu, haambozviponesa kunyange mumwe wamagamba chaiye ane mwoyo chaiwo wechivindi, achati gumbo ndibereke asina chaakapfeka zuva iroro,” ndizvo zviri kutaura TENZI. Chinzwai shoko rinotaurwa naTENZI rokukuyambirai imi vanhu veIsiraeri, ndichiyambira mhuri yose zvayo yandakaburitsa munyika yeIjipiti: “Imimi chete ndimi vandinoziva pamhuri dzose dzapasi pano, naizvozvo ini ndichakurangirai uipi hwenyu hwose.” Ko vanhu vaviri vangafambe pamwechete vasina kurangana here? Ko shumba ingahon'e musango here iyo isina nyama yayabata? Ko shumba ichine simba rayo zvayo ingadhurume here mubako mayo iyo isina chayakabata? Ko ipo panyika pano shiri ingabatwe pamusungo pasina kuteiwa here? Ko musungo ungarapuka here usina chinhu chawabata? Ko tsuri ingaridzwe here muguta vanhu vakasatya? Ko guta ringawirwa nenhamo here TENZI asina kutoti zviitike? TENZI Mwari haana chaanomboita asina kutanga ambozivisa vaporofita, varanda vake. Kana shumba ikadzvova ndiani asingatyi? TENZI Mwari akataura ndiani angasaporofita. Daidzirai kumizinda yeAsiria nokumizinda yeIjipiti muti, “Unganai pagomo reSamaria muone zvenyu nyonganyonga iri mariri namabatirwo akaipa ari kuitwa vanhu mariri.” Zvanzi naTENZI, “Havazivi kuita zvinhu nemazvo, vanotopfimbika utsinye nokupamba mumizinda mavo. Naizvozvo, zvanzi naTENZI Mwari, muvengi achakomba nyika ino agokoromora zvinokudzivirirai zvacho nhare yenyu yokuzvidzivirira nayo muhondo igopambwa.” Saka zvanzi naTENZI, “Sokununura kunoita mufudzi mukanwa meshumba, makumbo zvawo maviri echipfuwo kana kuti kadimbu kenzeve, ndozvichangoitwawo vanhu veIsiraeri vanogara muSamaria vachinunurwa vari pakakona kesofa kana pachidimbu chomubhedha. “Chinzwa, uzivise vemba yaJakobho,” ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari, Mwari wehondo nehondo, “Kuti pazuva randicharangira Isiraeri kutadza kwayo, ndichavinga atari dzeBhetieri, zvinenge nyanga zvapaatari yacho zvichagwishurwa zvigoti kwatarara pasi. Ndichaparadza dzimba dzokugara mumwaka wechando nedzimba dzapazhizha nedzimbawo dzomunyanga wenzou dzichaparara, uye dzimba dzakawanda dzichaparara.” Ndizvo zviri kutaura TENZI. Teererai munzwe shoko iri imi madzimai, iyemi mhou dzokuBhashani imika mumakomo okuSamaria, imimi munodzvinyirira varombo, iyemi munoonesa ndondo vanhu vasina chavanacho, munoti kuvarume venyu, “Garai makatiwanisa doro tinwe!” TENZI Mwari apika nokuera kwake achiti, “Chinzwai, muchavingwa namazuva pavachakutii kachi nezvirauro zvehove muchiendwa nemi. Kunyangewo wokupedzesera chaiye wenyu acharaurwa nezvirauro. Muchaita zvokutobuda namakapazika rusvingo, mumwe nomumwe wenyu napaakanangana napo muchirasirwa kuMarara,” ndizvo zviri kutaura TENZI. “Uyai zvenyu iko kuBhetieri kwacho muiteka zvitadzo, muuye iko kuGirigari ikoko mundonyanya kuita zvitadzo, muchiendesaka zvibayiro zvenyu mangwanani oga oga nezvegumi zvenyu pazuva retatu roga roga, pirai zvenyuka chibayiro chacho chokutenda chezvinhu zvine mbiriso. Paridziraika zvenyu izvozvo zvemipiro yokupa nechido, muzvizuwidze nokuti ndizvo zvamunoda iyemi vanhu veIsiraeri!” Ndizvo zviri kutaura TENZI. “Ndakakubatisai paura nenzara mumaguta enyu ose zvawo ndichikushayisai zvokudya munzvimbo dzenyu dzose. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI. “Uyewo ini ndakamisa mvura kuti irege kunaya kwamuri ipo pachine mwedzi mitatu kuti nguva yokukohwa isvike. Ndaiti pane rimwe guta ndonayisa zvangu mvura pane rimwewo guta ndorega kuinayisa, mumwe munda uchiniwa nemvura mumwewo unenge usina kunayiwa uchiuna. Nokudaro vamaguta maviri kana matatu vaizodzungaira kuenda kuguta rimwechete vachitsvaka mvura yokunwa vasingawane mvura yakakwana. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI. “Ndakakuparadzirai mbesa dzenyu nezvikukuve nechakuvhuvhu ndikaita kuti zanzwe ramapindu enyu neminda yenyu yamagirepisi zvisare zvisisina chinhu, michero yenyu yemionde nemiorivhi zvikarozvwa nehwiza. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI. “Ndakatumira nhamo pakati penyu sedzandakatumira kuIjipiti, ndakauraya majaya enyu namapakatwa pamwechete nokupamba mabhiza enyu ndikaitawo kuti gutukutu rapamusasa wenyu wamatendhe rindimuke richiita gutukutu kunhuhwa mumhuno dzenyu iyemi. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI. “Ndakatsakatisa vamwe venyu sezviya zvakaita Mwari achiparadza guta reSodhomu nereGomora. Izvozvo imi mainge chitsiga chomoto chaburwa mumoto. Asi imi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI. “Naizvozvo iwe Isiraeri izvozvo ndizvo zvandichaita kwauri, pamusana pokuti ndichaita izvozvi kwauri chigadzirira kusangana naMwari wako, iwe Isiraeri!” Ndinodaro nokuti iye anoumba makomo anosikawo mhepo, iye anozivisa munhu zvaaronga mumwoyo make, iye anoita kuti kusvibe iwo achiri mangwanani zvawo achinyatsotsika zvake chaimo makakwirira menyika, zita rake ndiYahweh, Mwari wehondo nehondo. Teererai munzwe shoko rakanangana nemi randava kutaura ndichiungudza, kwamuri imi vemba yaIsiraeri rokuti, “Isiraeri, waparara, zvokumukazve hapasisina, wava mhandara yarambwa, uri munyika mako imomo usisina kana newokukusumudzawo.” Ndinodaro nokuti zvanzi naTENZI Mwari, “Guta rakabuda chiuru chavarwi, richasara rava nezana revarwi, uye rakabudawo zana revarwi richasara rava navarwi gumi vokumba kwaIsiraeri.” Nokuti TENZI ari kutaurira vemba yaIsiraeri kuti, “Nditsvakei mugorarama, asi regai kutsvaka kunamata zvokuBhetieri, kana kupinda zvenyu muGirigari kunyange kuyambukira kuBheerishevha pamusana pokuti Girigari ichatoenda chete muutapwa uyewo Bhetieri zvichaiperera.” Tsvagai TENZI, murarame, angadaro akaviruka somoto mumba yokwaJosefi, akaitsakatisa pasina kana anoidzimura achireverera Bhetieri. Hokoyoi imi munosandura ruenzaniso muchiruita gavakava chairo kuvava muchikanda pasi ururami. Iye akasika nyenyedzi dzechinyamutanhatu nedzegwara ravatonga; iye anosandura rima rakati kwirindindi kuti rive mangwanani zvavo achiita kuti masikati ave usiku, iye anodaidza mvura yegungwa achiidira pasi panyika, zita rake iyeyo, ndiYahweh, anoita kuti kuparadza vane simba, kurove semheni zvokuti umharadzi hunobva hwawira nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Vanhu vanovenga munhu anovatsiura padare, vachizvonda anotaura chokwadi. Naizvozvo, pamusana pokuti imi munotsokodzera pasi murombo muchimumanikidza kuti atokupai chete koroni, dzimba dzamakavaka dzamabwe akavezwa, hamudzigari mukasimaka imi munda yakanakisa yamagirepisi, asi hamusi kuzonwa waini yaiwo. Ndinodaro nokuti ndinoziva ini kuwanda kwezvamakakanganisa nokukura kwakaita zvitadzo zvenyu, iyemi munoonesa ndondo vakarurama, munogamuchira pfumbamuromo padare muchiti kumunhu ane nhuna dzaanadzo tibvire pano. Naizvozvo munhu akangwara anonyarara zvake panguva dzakaita saidzodzi idzi, nokuti inguva dzakaipa. Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa kuitira kuti murarame, nezvo TENZI, Mwari wehondo nehondo, achava nemi, sokureva kwenyu. Vengai zvakaipa mude zvakanaka musimbise zvoruenzaniso padare. Zvimwe TENZI, Mwari wehondo nehondo, angaitire nyasha chitsama chakasara chevokwaJosefi. Naizvozvo zvanzi naTENZI, Mwari wehondo nehondo iye TENZI, “Munhandare dzose zvadzo muchange muchihwihwidzwa kuchema, mumigwagwa yomuguta yose zvayo vachati, ‘Yowe maiwe-e!’ Vachadaidza varimi kundochema vachadaidzawo vebasa rokuhwihwidza kuzoungudza, nomuminda yose yamagirepisi muchava nokuhwihwidza kuchema nokuti ndichapfuura nomukati menyu,” ndizvo zviri kutaura TENZI. Zvichakuwanai imi munoti dai zuva raTENZI rachingosvika. Chamunodira chaizvo kuti zuva raTENZI risvike, chii? Izuva rerima kwete rechiedza rakaita somunhu anoti, uku ari kutiza shumba obva anowira mukanwa mebere; kana kuti somunhu anoti pindei mumba ozendama zvake noruoko kumadziro nyoka yobva yamuruma. Ko handiti zuva raTENZI, izuva rerima here, kwete rechiedza, zuva rakati kwirindindi kusviba, risina kana nekanopenya mariri. “Ndinovenga, uye ndinozvidza mazuva enyu makuru, handisi kumbofarira zvangu misangano yenyu yezvokunamata. Kunyange zvenyu mukapira kwandiri mipiro yenyu yokupisa nemipiro yenyu yembesanwa handisi kuzoigamuchira. Kanawo mipiro yokuwadzana yezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa, handisi kuzoitarisa. Ndinyararirei mheremhere yenziyo dzenyu, mumhanzi wamadimbwa enyu handisi kana kuzombouteerera. Asi ruenzaniso ngarudirane kuyerera semvura uye kururama kuitewo sorukova runogarosaruka ruchingoyerera. “Ko makambouya here kwandiri nezvibayiro kana nemipiro kwamakumi mana amakore amakanga muri murenje, nhaimi vemba yaIsiraeri? Imi muchatakura zvifananidzo zvenyu zvokunamata zvamakazvigadzirira zvinoti Sakuti, mambo wenyu naKaiwani, mwari wenyu wenyenyedzi. Naizvozvo ndichakutorai ndichikuendesai muutapwa mberi kupfuura guta reDhamasikusi.” Ndizvo zviri kutaura TENZI anonziwo Mwari wehondo nehondo. Zvichakuwani imi mugere pamutambaratede muguta reZioni nevanozviti tigere zvakanaka mugomo reSamaria, vanhu vanozivikanwa kwazvo vokutangatanga verudzi rwavanhu, kunoenda imba yaIsiraeri. Yambukirai kuguta reKarine, muone zvenyu, mubvepo muende, kuguta reHamati, guta guru, muzodzika kuguta reGati ravaFirisitia. Maguta iwayo ari nani here pane nyika mbiri idzi? Kana kuti iyo nyika yavo, ihuru here pane yenyu? Nhaimi munoramba kuti zuva rakaipa richasvika muchitoita kuti utsinye hutonge, iyemi munorara pamibhedha yomunyanga wenzou, muchitambarara zvenyu muri mumitepfetepfe yezvigaro, muchidya zvenyu nyama, yehwayana dzomuzvirugu, neyemhuru dzomudanga rezvipfuwo; iyemi munoumba nziyo itsva dzokuimba namadimbwa; saDhavhidhi muchizvigadzirirawo zvokuridzisa mumhanzi nazvo zvitsva; iyemi munodutira kunwa waini negate muchizvizora mafuta amandiriri asi kuparara kwevokwaJosefi kusingakurwadzei mwoyo! Saka imimi ndimi muchava vokutanga chaivo kuenda kuutapwa, iyemi vokutambarara imi, kudyiririra ikoko nehohoho yenyu iyoyo, zvichapera. TENZI Mwari apika naiye pachake, (zvanzi naTENZI, Mwari wehondo nehondo): “Kuzvikudza kwevokwaJakobho ndinokuzvonda, uye nhare dzake dzokuzvidzivirira nadzo muhondo ndinodzivenga saka guta racho nezvose zvirimo ndichazviisa mumaoko evavengi.” Kana vanhu gumi vakasara mumba imwechete, vachatopafa. Hama yomunhu yomumba chaiyo inomuviga yacho, paichauya kuzotakura zvitunha mumba imomo, ikabvunza anenge akahwandamo mukatikati kuti, “Muchine mumwe here asara?” Iye achati, “Kwete.” Uyewo uya achabva ati, “Taurira pasi! Kana kudoma zita raTENZI, ngatiregei.” Nokuti chionai TENZI atema kuti, zimba guru richaparadzwa kuti warara, kamba kaduku kachisarawo kangova zvimedu. Ko mabhiza anomhanya paruware here? Ko munhu angarime here nenzombe pagungwa? Asi imi munosandura ruenzaniso muchiruita chepfu, muchero woururami muchiaita gavakava kuvava, iyemi munofarira zvinhu zvisina maturo, muchitozviti, “Hatisirisu here isu pano, takatora guta reKarinaimu tikatoriita redu pachedu here?” Saka chinzwai munzwe, TENZI Mwari wehondo nehondo ari kuti, “Imi vemba yaIsiraeri ndichakumutsirai rudzi rwavanhu vachakudzvanyirirai kubvira tava kuda kupinda muguta reHamati, kusvikira kuKakova keArabha.” TENZI Mwari akandionesa chiratidzo: Muchiratidzo ichochi ndakaona achisika bute rehwiza mushure mokunge mambo apedza kucheka uswa hwezvipfuwo zvake napanguva yakwakanga kwava kutunga uswiswi. Padzakanga dzapedza kudya uswa kwenyika ino, ini ndakati, “Nhai TENZI Mwari, ndateterera doregererai! Jakobho; angapamire sei chaizvo iye ari mudiki kudai? TENZI akadzora mwoyo panyaya iyoyi. TENZI ndokuti, ‘Hazvichaitika.’ ” TENZI Mwari akandionesazve chimwe chiratidzo. Muchiratidzo ichocho TENZI Mwari akanga achigadzirira kuranga vanhu nomoto. Moto iwoyu wakapisa hwenje hwegungwa ndokubva wanhanhirawo kundopisa nyika. Ndipo pandakati, “Nhai TENZI Mwari, ndateterera regai zvenyu kudaro Jakobho angapamire sei chaizvo ari mudiki kudai!” TENZI akadzora mwoyo panyaya iyoyi, iye TENZI Mwari ndokuti, “Izvozviwo izvi hazvichaitika.” Mwari akandionesawo izvi. Ndakaona TENZI amire panyasi porusvingo rwakavakwa pachishandiswa tambo yokuvakisa yokueresa nayo kutwasuka kworusvingo kuenda kumusoro. Akanga akabata muruoko tambo yacho yokuvakisa. TENZI akanditi, “Nhai Amosi, chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Tambo yokuera nayo kutwasuka.” TENZI ndokubva ati, “Chinzwa, ndava kuisa tambo yokueresa nayo kutwasuka pakati pavanhu vangu vaIsiraeri Handichazombofazve ndakapfuura napavari. Nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzokwaIsaki, dzichaparadzwa, neNzvimbo Dzinoera dzokwaIsiraeri dzichaparadzwa. Ndichamukira imba yaJerobhoamu nebakatwa.” Ipapo Amaziya, mupristi wokuBhetieri, akatumira shoko kuna Jerobhoamu, mambo wokwaIsiraeri, rokuti, “Amosi ari kukupandukirai mukati memba yevokwaIsiraeri. Zvose zviri kubuda pamuromo pake apa, nyika haichagona kutakurana nazvo nokuti Amosi ari kuti, “ ‘Jerobhoamu achafa rufu rwebakatwa rehondo, uye kuti vokwaIsiraeri, vachatoendwa navo chete kuutapwa kure nenyika yavo.’ ” Amaziya akati kuna Amosi, “Iwe muoni chibva, utizire kunyika yokwaJudha uwane chokudya chako ikoko, uchiporofita uri ikoko. Asi usambofa wakazoporofitazve pano paBhetieri nokuti pano apa, iNzvimbo Inoera yamambo iTemberi yenyika.” Amosi ndokupindura Amaziya achiti, “Handisi muporofita ini, kana mumwe webato revaporofita. Asi ndinotova mufudzi nomuchengetedzi weminda yamaonde. Saka TENZI ndiye akandibvisa mukufudza mombe, iye TENZI ndiye akanditi, ‘Enda undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.’ “Saka zvino chinzwai shoko raTENZI, iyemi muri kuti, ‘Rega kuporofita pamusoro peIsiraeri uye rega kuparidza uchitsoropodza imba yokwaIsaki.’ Naizvozvo zvanzi naTENZI, ‘Mudzimai wenyu achava pfambi muguta muno, vana venyu vakomana navasikana vachafa rufu rwepfumo Nyika yenyu imi ichagovanwa. Iyemi pachenyu muchafira kunyika yakan'ora, uye vaIsiraeri vachatoendwa navo chete kuutapwa kure nenyika yavo.’ ” TENZI Mwari akandionesazve izvi. Ndakaona tswanda yemichero yomuzhizha. Iye akati, “Amosi chauri kuona chii?” Ini ndikati, “Tswanda yemichero yomuzhizha.” TENZI akanditi, “Vanhu vangu vaIsiraeri, zvino pavo pazovaperera, rwendo runo zvokunge ndichavadarika hapasisina. Dzimbo dzeTemberi dzichava nziyo dzokuungudza nezuva iroro, Zvitunha zvavanhu richave gatakata, zvichiraswa kwose kwose zvako chinyararire.” Ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari. Chinzwai izvi, imi munotsokodzera vasina chavanacho, muchisvitsa varombo vomunyika muno pakugumirwa. Munotika imi, “Ko iro zuva guru roKugara Kwomwedzi, haraichipfuura zvaro, kuti tichitengesa zvedu mbesanwa dzedu? Uye muchiti Ko iro zuva reSabata iri harichisva rapera here kuti tichiburitsa zvedu koroni titengese tichidaro kudukupisa bhagidhi nokukwidza mutengo, tichiitawo zvokuziva nemwero yokubiridzira, kuti titenge varombo nemari tichitengawo neshangu mbiri varombo vasina chavanacho uye kuti titengese kunyange marara zvawo ekoroni.” Ini TENZI ndinopika neni pachangu wamunodada naye imi vokwaJakobho kuti, “Handimbofa ndakakanganwa kunyange chimwechete zvacho chezvakaipa zvamakaita. Nyika ingarege kundengendeka here pamusana paizvozvo uye mugari wose wemo agoungudza, nyika yose zvayo ichitutumuka kuzara serwizi rwaNairi ichazara igosererazve, seNairi rwokuIjipiti?” Zvanzi naTENZI Mwari, “Pazuva iroro, ndichadokesa zuva ari masikati machena, pasi pagoti svi-i kusviba masikati machena chaiwo. Mazuva enyu makuru ndichaasandura achiva okuchema, nziyo dzenyu dzose dzive kuungudza. Ndichaita kuti musungire mitikisha yamasaga muchiuno muveure misoro yenyu mose mugoita savanhu vanochema mwana wavo wechikomana mumwechete, zuva iroro richapera ichingova nhamo chete.” Zvanzi naTENZI Mwari, “Chinzwai, kuchasvika mazuva andichatuma shangwa yenzara panyika, kwete nzara yechokudya kana chokunwa; asi nzara yokuda kunzwa shoko raTENZI. Vanhu vachadzungaira kubva kune rimwe gungwa kusvikira kune rimwe, kubvawo kuchamhembe kusvikira kumabvazuva, vachamhanya-mhanya kwose kwose vachitsvaga shoko raTENZI, vasingariwane. Pazuva iroro tsvarakadenga dzemhandara namajaya vachafizuka nenyota. Vanopika naAshima chifananidzo chokunamata chokuSamaria vachitoti, ‘Namwari wenyu chaiye mupenyu imi vokuDhani,’ kana kutoti, ‘Naiye anonamatwa mupenyu womunzira yokuBheerishebha,’ ivavo vachaputsika vasingazombofa vakamuka zvakare.” Ndakaona TENZI amire paatari, akati, “Bhogomora zvapamusoro pembiru kudzamara kamba kapamusuo wokupinda muTemberi kava kuzunguzika uzviti mwarara pamusoro pavo vose. Vamwe vavo vanenge vasara, ndichavarakatisa kufa rufu rwepfumo pasina kana mumwe wavo anotiza kana mumwe wavo anopapunyuka. Kana zvavo vakaita zvokuchera napasi kundohwanda kuNzvimbo yaVachakabvu, naikokowo ndichavatora noruoko rwangu, kunyange zvavo vakakwira mudenga ndichavakoromorera pasi. Kana zvavo vakandohwanda pamusoro peGomo reKameri, naikoko ndichavaronda ndikavatora, kunyange vakandondihwanda pasi pegungwa, ndichati nyoka ivarume ikoko. Vavengi vavo vakaenda navo kuutapwa, ikoko ndichatuma hondo yebakatwa ivarakatise kuuraya. Ndichangoramba ndati navo nanga nanga kuvaitira zvakaipa kwete zvakanaka.” TENZI Mwari wehondo nehondo anoti akagunzva nyika nyika inonyungudika navagari vemo vose vanochema, vose vanotutumuka serwizi rwaNairi vachibva vaserera zvakare seNairi rwokuIjipiti, iye wacho anovaka dzimba dzenhurikidzwa mudenga, akasika ziendanakuenda rapamusoro penyika, iye anodaidza mvura yegungwa achiidira pasi panyika, zita rake iyeyo, ndiYahweh. Zvanzi naTENZI, “Nhaimi vanhu veIsiraeri, izvozvi kwandiri ini, munoti makasiyana nhai navaItiopia. Handisini ndakaburitsa vaIsiraeri muIjipiti here? Handisirini ndakaburitsa vaFirisitia kuKafutori, navaSiria kuKiri here? Chinzwai, ziso raTENZI Mwari rava panyika iyoyi izere zvitadzo, ndichaitsakatisa panyika pasi pano. Kunyange zvakadaro zvazvo handisi kuzobva ndanyatsotsakatisa imba yaJakobho.” Ndizvo zviri kutaura TENZI. “Ndinodaro nokuti ndichatema kuti imba yaIsiraeri izunzwe pakati pendudzi dzose dzavanhu sokusefa kunoita munhu nesefa pasina kana nakatsanga zvako kanodonhera pasi. Vatadzi vose vari muvanhu vangu, vachafa rufu rwepfumo muhondo, ivavo vanozviti, ‘Hapana chakaipa chichatiwana kana chichatiwira.’ ” “Nezuva iroro, ndichamutsa imba yokwaDhavhidhi yakadai kuputsika ndiigadziridze pakapazika ndichimutsurudza matongo ayo, ndichiivaka patsva samazuva akare kuti vagotonga chitsama chakasara chokwaEdhomu nevechirudzi vose vanodaidzwa nezita rangu.” Ndizvo zvinotaura TENZI muiti waizvozvi. Zvanzi naTENZI, “Chionai, mazuva ari kuuya, okuti kurima kuchasvika kukohwa kusati kwapera uye okusima magirepisi wokuasvina asati apedza. Makomo achajuja waini inonaka nezvikomo zvose zvichayerera waini. Ndichadzosera vanhu vangu vaIsiraeri zvose zvavaiva nazvo. Maguta avo akanga aparadzwa, vachaavakazve vakatoagara. Vachasima zvavo minda yamagirepisi, vachitozonwa, waini yayo. Vachaitawo mapindu, vagodya muchero yawo. Ndichavagarisa munyika yavo pasina achazovatamisamozve achivabvisa munyika iyi yandakavapa ini.” Ndizvo zviri kutaura TENZI, Mwari wenyu. Zvakaoneswa Obhadhiya. Zvanzi naTENZI Mwari nezveEdhomu takanzwa shoko richibva kuna TENZI uye nhumwa iri kutumwa mukati memarudzi ichiti, “Simukai, ngatimumukirei timurwise.” Chinzwai, “Ndichakuitai mudiki pakati pamarudzi. Muchashorwa zvikuru. Mwoyo wenyu wokuzvikudza wakakurasisai imi mune musha womumapako mumikaha, mune musha uri pamusoro, imi munozviti nechomumwoyo. ‘Ndianiwo zvake angatikoromorere pasi.’ Kunyange zvazvo muri muchadenga imomo segondo, nyange movakira zvenyu dendere renyu pakati penyenyedzi, ikoko ndichakukoromorerai pasi. Ndizvo zviri kutaura TENZI. “Kana mbavha dzikakuvinga kana kuti vapambi vousiku, handiti vanongotora chete zvinokwanirana navo? Kana vokukohwa magirepisi vakakuvinga handiti vanotosiyawo mamwe okufuhwa zvawo? Asi kuparadzwa kwamuchaitwa imi, aiwaiwa! Tarisaiwo muone zvenyu kuparadzwa kwaitwa nyika yaEsau, upfumi hwayo hwapambwa. Vamwe venyu vose vakakufurirai vakakudzingirai kumuganhu, shamwari dzenyu chaidzo dzakupandukirai zvino. Madzisahwira enyu chaiwo amunovimba nawo akuisirai chokukuteyai nacho hazvichambonzwisisiki. “TENZI ari kuti nezuva iroro handisi kuzoparadza vangwaru muEdhomu here noruzivo muGomo rokwaEsau? Magambawo enyu avarwi, imimi wokwaTemani, achadumbirwa zvokuti munhu wose wokuGomo rokwaEsau achapfuudzwa nebakatwa. “Imi vokwaEsau pamusana poutsinye hwamakaita kuvanun'una venyu vokwaJakobho muchanyara imi nokusingaperi uye muchaparadzwa zvachose. Pamusi uya wamakamirira kure vatorwa vachipamba upfumi hwevokwaJakobho, vatorwa vacho vachitopinda mumaguta avo, vachiitira Jerusaremu chin'ange imi maitoita somumwe wavo. Asi mungadai musina kutonakidzwa nokuonerera zvenyu zuva ravanun'una venyu pazuva renyatwa dzavo mungadai musina kupembera kwazvo kufara nezvevanhu vokwaJudha nezuva rokuparara kwavo, mungadai musina kutozvitutumadza pamusi wenhamo iyoyo. Hamaifanira kumbopinda henyu muguta ravanhu vangu pazuva repfumvu yavo. Hamaifanira kutonakidzwa nokuonerera kuparara kwavo pamusi wepfumvu yavo. Mungadai musina kumbopamba zvinhu zvavo pazuva repfumvu yavo. Mungadai musina kundomirira pamharadzano muchipfuudza vainge votiza. Hamaifanira kudzosera kwakare vainge vapunyuka pamusi wenhamo yavo. “Chiripo ndechichi chokuti zuva raTENZI riri kuzosvikira marudzi ose avanhu. Zvamunenge maitawo imi ndizvo zvichaitwawo kwamuri, zviito zvenyu zvichakupfukirai nokuti sokudhakwa kwamakaita imi pagomo rangu rinoera, marudziwo ose omunharaunda imomo achararadzawo nawo. Vachanwa zvokudutira vagosara vava kunge vanhu vasina kana kumbovapo zvavo. “Asi muGomo reZioni muchava navanenge vapunyuka uye richava gomo rinoera. Imbawo yokwaJakobho ichatora hayo zvinhu zvayo zvizova mumaoko mayo. Imba yokwaJakobho ichava moto imba yokwaJosefi ichiva murazvo womoto imba yokwaEsau ichiva zvidzitsi zvamashanga. Ivo vachavapisa vagovaroromesa. Hapazova navanopunyuka kune vemba yokwaEsau nokuti TENZI ataura. “Vanhu vokuNegevhu vachatora Gomo rokwaEsau kuriita ravo vanhuwo vokumanhika kuShefera vachitorawo nyika yavaFirisitia kuita yavo. Nyikawo yokwaEfuremu nenyikawo yeSamaria vachadzitora kuva mumaoko mavo uyewo vokwaBhenjamini vagotora havo dunhu rokwaGireadhi. Hondo yenhapwa dzokwaIsiraeri iri kuHara ichatora hayo nyika yeFonisia kusvikira kuZarifati kuita zvavo nyika yavo. Nhapwawo dzokuJerusaremu dziri kuSefaradhi dzichatorawo maguta okuNegevhu kuaita adzo. Vakundi vachakwira Gomo reZioni vachatonga gomo rokwaEsau umambo huchava hwaTENZI.” Shoko raTENZI rakauya kuna Jona mwanakomana waAmitai richiti, “Simuka uende kuNinivhe, guta guru riya undoriyambira nokuti uipi hwavo hwasvika kudenga pamberi pangu.” Asi Jona akasumuka kuti atizire kuTashishi achida kubva pana TENZI. Akadzika kuJopa, akawanako ngarava yaienda kuTarishishi iye akabva abvisa mari yerwendo ndokupinda mukati mayo kuti aendewo navo kuTarishishi achibva pana TENZI. Asi TENZI akatututsa mhepo huru mugungwa pakaita dutu remhepo guru zvokuti ngarava yakanga yoda kupazika. Ipapo vafambisi vengarava vakabatwa nokutya, mumwe nomumwe ndokubva anamata kuna mwari wake. Vakakanda mugungwa zvinhu zvavaiva nazvo mungarava macho kuitira kuti ivarerukire. Izvozvo Jona akanga adzika pasi mukatikati chaimo mengarava atorara zvake achitopfodora hope. Zvino mukuru mukuru wengarava iyoyo akasvika akamuti, “Zvinoreveiko, nhaiwe, mupfodori wehope? Muka unamatewo kuna mwari wako! Zvimwe mwari angatifungewo kuti tirege kuparara.” Vakataurirana kuti, “Ngatiitei chin'ange tizive kuti ndiani atiparira nhamo yatiwira iyi.” Saizvozvo vakaita chin'ange, chikabata Jona. Ndokubva vamuti, “Iwe tiudze kuti ndiani akonzera kuti tipinde nhamo iyi. Basa rako nderei? Unobvepi? Uri wenyika ipi? Uri worudzi rwupi?” Iye akavapindura kuti, “Ndiri muHebheru, uye ndinotya TENZI, Mwari Wedenga, akasika gungwa nenyika yakaoma.” Varume ivavo vakatya zvikuru kwazvo vakati kwaari, “Ndochii ichochi chawaita,” nokuti varume ivavo vakanga vazviziva kuti akanga achitiza pana TENZI nokuti ndizvo zvaakanga avataurira. Ivo ndokuti kwaari, “Zvino toitei kwauri kuti gungwa ritidzikamire?” Nokuti gungwa rakanga zvino rotonyanya kuramba richinyanduka zvikuru nedutu remhepo. Iye akati kwavari, “Nditorei mundikande mugungwa, gungwa rinobvawo rakudzikamirai nokuti ndinoziva kuti ndini ndakonzera kuti dutu guru remhepo iri rikumukirei.” Asi varume ivava vakambovavarira zvavo kukwasva zvakasimba, kuti vadzosere ngarava panyika pakaoma, vakakundika nokuti gungwa rakabva ratonyanyisisa kunyanduka nedutu remhepo. Naizvozvo vakachema kuna TENZI vachiti, “Tateterera zvedu TENZI, regai zvenyu kuti tiparare pamusana poupenyu hwomurume uyu musatipe mhaka yokudeura ropa risina mhosva. Inga wani imi, TENZI, maita zvamunoda.” Ipapo vakatora Jona vakamukanda mugungwa, gungwa rikarega kupenga kwaro. Varume ava vakabva vatya TENZI zvikuru kwazvo vakapira chibayiro kuna TENZI vakaita zvitsidzo. TENZI akasarudza zihove guru rokumedza Jona. Jona akagara mudumbu rehove iyoyo siku nesikati kwamazuva matatu. Jona akabva anamata kuna TENZI, Mwari wake ari mudumbu rehove macho achiti, “Ndakachema kuna TENZI ndiri munhamo yangu, iye akandipindura. Ndakachema ini ndiri mudumbu renzvimbo yavachakabvu, imi makanzwa izwi rangu nokuti makandikanda muhwenje, muhwenje hwegungwa zvahwo pakati-kati chaipo pamakungwa ndakanga ndakakomberedzwa namafashafasha emvura mafungu namasaisai enyu aipfuura zvawo napamusoro pangu. “Ipapo ndakazviti ndazoraswa zvangu kure nemi ndichatarisazve sei temberi yenyu inoera. Mvura yakanditi fuse fuse hwenje hwakandikomberedza zvinomera mugungwa zvakanga zvakanditi mumusoro monemone. Pamidzi yemakomo ndakanga ndichidzika kunyika ine zvihuri zvaindipfigiramo narini narini asi imi TENZI, Mwari wangu makandiponesa upenyu mukandiburitsa mugomba iroro. Mweya wangu pawakapera simba mukati mangu, ndakarangarira TENZI; munamato wangu wakasvika kwamuri muTemberi yenyu inoera. “Vanhu vanoremekedza zvifananidzo zvisina maturo vanokanda pasi kutendeseka kwavo kwapachokwadi. “Asi ini nezwi rokutenda ndichapira chibayiro kwamuri. Ndichaita zvandakapika. Kununura ndokwaTENZI.” TENZI akataura kuhove iya ikarutsira Jona panyika pakaoma. Ipapo shoko raTENZI rakauyazve kuna Jona rwepiri richiti, “Sumuka uende kuNinivhe guta guru riya uriparidzire shoko randinokuudza.” Saizvozvowo Jona akasimuka akaenda kuNinivhe sokutaura kwakanga kwaita TENZI. Zvino guta reNinivhe raiva guta rakakurisisa kwazvo rine upamhi hwaitoda rwendo rwamazuva matatu. Jona akatanga kupinda muguta racho achifamba rwendo rwomuswere wezuva achidaidzira kuti, “Kwangosara mazuva makumi mana chete okuti Ninivhe iparadzwe.” Vanhu veNinivhe vakatenda muna Mwari, kukadaidzirwa shoko rokuti vanhu ngavatsanye vapfeke masaga kubvira kuvakuruvakuru kusvikira kuvadikidiki. Shoko racho iri rakazosvikawo kuna mambo weNinivhe akasimuka pachigaro chake choumambo ndokubvisa jasi rake ndokupfeka masaga ndokundogara kumadota. Akabva adaidzira chirevo akachizivisa vanhu muNinivhe yose chokuti, “Nechirevo ichi chatemwa namambo pamwechete novokumba huru; ngaparege kuva nomunhu kana mhuka zvayo kunyange mombe kana chimwe chipfuwo zvacho chinoisa chinhu mukanwa, ngazvirege kana kunwa mvura. Asi kutoti vanhu nemhuka ngavapfeke masaga acheme zvikuru kwazvo kuna Mwari. Munhu wose zvake ngaasiyane nenzira yake yakaipa akande pasi twaanobata-bata. Ndianiko angazive, zvimwe Mwari angadzore mwoyo akarega kutivirukira nehasha dzake dzinotyisa kuti tirege kutsakatika.” Mwari paakaona zvavakanga vaita izvi zvokukanda pasi kwavakaita maitiro avo akaipa, akazvidzora akarega kuvaonesa nhamo yaakanga ati achauyisa kwavari. Saka haana kuzozviita. Asi izvi zvakagumbura Jona zvakanyanya zvikamushatirisa akabva anamata kuna TENZI achiti: “Nhai imi TENZI, ko izvi hazvisirizvo here zvandakamboreva ndichiri kunyika yokwangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutizira kuTashishi nokuti ndaizviziva kuti imi muri Mwari wengoni ane tsitsi uye asingakurumidzi kushatirwa azere nomwoyochena anozvidzora kune zvakaipa. Saka naizvozvo ndapota TENZI ndiurayei zvenyu nokuti zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti ndirarame.” TENZI ndokubva ati, “Zvauri kuita izvi zvokushatirwa, zvakanaka here?” Jona akabva abuda muguta iroro akandogara kumabvazuva kweguta iri. Akazvigadzirira musasa ikoko. Akagara hake pasi pawo mumumvuri achimirira kuona zvaizowira guta iroro. Ipapo TENZI akameresa mupfuta akaukurisa pana Jona ukava mumvuri pamusoro pake kuti amufaranutse munhamo yake. Ipapo Jona akafadzwa zvikuru kwazvo nomupfuta wacho. Kuzoti ramangwana acho mambakwedza, Mwari akatuma gonye rikaruma mupfuta uya ukabva wauna. Zuva parakabuda, Mwari akatuma mhepo inopisa inobva kumabvazuva, zuvawo rikatumhisa musoro waJona zvokuti akafizuka, akakumbira kuti afe zvake achiti, “Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti ndirarame.” Asi Mwari akati kuna Jona, “Zvauri kuita izvozvi zvokushatirirwa mupfuta zvakanaka here?” Iye akapindura achiti, “Zvokushatirwa zvandiri kuita zvakanaka, ndiri kutoshatirwa zvokufa.” TENZI akati, “Unonzwira urombo mupfuta wausina kushandira zvako uye wausina kumboita kuti ukure. Wakavapo nousiku umwechete ukazopararawo nousiku humwechete. Ini ndingarege here kunzwira tsitsi Ninivhe guta guru rina vanhu vanodarika zana namakumi maviri ezviuru vasingazivi kusiyanisa rudyi noruboshwe rwavo uyewo mune zvipfuwo zvakawanda.” Shoko raMwari rakauya kuna Mika wokuMoresheti mumazuva okutonga kwaJotamu naAhazi naHezekiya, madzimambo okwaJudha raakaporofita richinangana nezveSamaria neJerusaremu. Teererai munzwe, imi marudzi avanhu, mose zvenyu. Inzwa unzwe iwe nyika nazvose zviri mauri, rega Tenzi Mwari ave ndiye anokuroverera, iye Tenzi wokuNzvimbo yake Inoera. Ndinodaro nokuti Tenzi ari kuuya achibva kunzvimbo yake, achaburuka pasi agotsokodzera nzvimbo dzakatunhumara dzapanyika. Makomo achanyongodeka pasi pake, mapani achitsemuka senamo yanyautswa nomoto, semvura yadeurirwa pasi pamutenure chaipo. Zvose izvi zvichaitika pamusana pokukanganisa kwevokwaJakobho uye pamusana pezvitadzo zvevemba yokwaIsiraeri. Ko ane mhosva yokukanganisa kwevokwaJakobho ndiani? Harisi guta reSamaria here? Ko ane mhosva yechitadzo chemba yokwaJudha ndiani? Harisi guta reJerusaremu here? Naizvozvo ndichaita kuti guta reSamaria rive murwi pakati penyika, rive nzvimbo yokurima magirepisi. Ndichagudumutsira matombo aro mubani ndichiisa ugaro hwaro pachena. Zvose zvifananidzo zvaro zvokunamata zvichapwanywa-pwanywa. Zvose zvarakawana nounzenza ihwohwo zvichapiswa nomoto uye zvifananidzo zvaro zvokunamata zvichaparadzwa, nokuti rakazviwana noufeve saka zvichadzorerwawo kune veunzenza ivavo. Izvi zvinondipa kuungudza nokuchema ndichafamba ndakadaro ndiri mutwi ndichiungudza samakava, ndichichema semhou nokuti ronda rake harirapiki rakasvikawo kwaJudha; ratosvikawo kusuo guru ravanhu vangu kuJerusaremu. Musasvitse nyaya iyi kune vokuGati kana kutombosvimha zvenyu misodzi. MuBhetireafura zviumburudzei muvhu. Pfuurai zvenyu nenzira, imi vagari vokuShafiri, musina chamakapfeka muchinyara. Kuva vagari vokuZaanani zvokubuda hapana. Kuungudza kweBhetiezeri, kuchakubvisirai chamunofunga kumira nacho ikoko nokuti vagari vokuMaroti vavakusuwira kwazvo ruyamuro nokuti Tenzi apinza nhamo pamusuo peJerusaremu. Imi vagari vokuRakishi bopai mikono yamabhiza pangoro dzehondo. Ndimi vakava vokutanga kupara chitadzo cheguta reJerusaremu nokuti makaitawo zvitadzo zvevokwaIsiraeri muguta reRakishi. Naizvozvo chitopananai zvipo zvokuonekana nevokuMoresheti kuGati, musha weAkizibhu uchava musha wounyengedzi kumadzimambo eIsiraeri. Ndichakuunzirai wokukukurirai, imi vagari vokuMaresha, uyezve madzichangamire omuIsiraeri achandohwanda kuAdhuramu. Zvigusei muparavara wenhamo mugerwe vhudzi renyu muzviite muparavara unenge wegora nokuti vana venyu vapamwoyo vachabva kwamuri vachiendeswa kuutapwa. Zvichavawana, avo vanorangarira kuita zvakaipa vachironga kuita zvouipi vari pamibhedha yavo! Kukangochena chete vobva vatozviita nokuti simba rokuzviita vanaro. Vanochiva minda voitora nechisimba, vanochiva dzimba vachidzibvuta. Vanokukucha munhu pamwechete nemhuri yake, munhu nezvinhu zvake zvenhaka. Naizvozvo Tenzi anoti, “Chinzwai ini ndava kurongera mhuri iyoyi zvinhu zvakaipa zvamusingagoni kuzvitakanura pamutsipa. Zvokufamba muchizvikudza zvichakupererai nokuti inenge yava nguva yakaipa. Munguva iyoyo kuchaimbwa rumbo rwokukusekai imi muchihwihwidza kuchema muchiungudza zvinosiririsa muchiti: ‘Tanyatsoparara isu, nhaka yevokwangu, yasandurwa, ndikaitorerwa. Minda yokwedu yagoverwa zvayo kuvanhu vakatipamba.’ ” Saka ipapo mugungano raTenzi, munenge musisina munhu anokupimirai migove yenyu netambo. Vanoparidza vachiti, “Musaparidze. Rega kuparidza zvinhu zvakadaro. Hapana chinotinyadzisa chichatiwira.” Imba yokwaJakobho ingapinde rushambwa nhai? Tenzi haasisina mwoyo murefu here? Ndiwo maitiro ake here? Handiti ndinototaura zvakanaka kune vanotevedza ururami? Imi ndimi matova mhandu yacho kuvanhu vangu munobvutira munhu asina mhaka batye rake, munhu anenge avarairwa achiti hapana chinouya kwaari momupa nhamo yokunge ari muhondo. Munodzinga imi madzimai avanhu vangu mudzimba dzavo dzavanoda kwazvo, vana vavo munovabvutira nokusingaperi chikomborero chandakavapa. Simukai muende nokuti pano hapasisiri pokugara pamusana pokun'ora kunoparadzwa zvikuru kwazvo kuchaita kuti iparadzwe zvachose. “Kana munhu akafamba zvake achitaura mwando zvawo enhema achiti, ‘Regai ndikutaurirei kuti waini nedoro zvichabooka,’ iyeyo ndiye angatova zvake ava muporofita wavanhu ava. “Imi vokwaJakobho ndichanyatsokukokorodzai mose zvenyu, ndichinyatsounganidza chitsama chakasara chevokwaIsiraeri. Ndichavaisa pamwechete sedanga rehwai, sedanga rezvipfuwo zviri mumafuro azvo, vari mhomho chaiyo yavanhu. Iye achavavhurira nzira, ndiye achavatungamirira vachityora napasuo guru vobuda napo. Mambo wavo, Tenzi ndiye achavatungamirira ari mberi.” Ndakati: “Teererai munzwe, imi vatungamiriri vokwaJakobho nemi vatongi vemba yokwaIsiraeri. Harisi basa renyu here kuziva ruenzaniso? Imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa, munovhiya vanhu vangu ganda muchivamwaura nyama pamapfupa avo. Munodya vanhu vangu nyama, muchivakwatura ganda imi. Muchivatyora-tyora mapfupa muchivajajada senyama mupoto, senyama zvayo mumazibhodho. Ndopayeka pavanozochema kuna Tenzi asi haavapinduri. Ndipo paanotobva atovanza uso hwake nokudawo kokuti vakaita zviito zvakaipa.” Zvanzi naTenzi kuna vaporofita vanotungamirira vanhu vangu mutome, munodaidzira kuti, “Kwakanaka,” kana muchiwaniswa chokudya asi kune vasingakuwanisi chokuisa kumuromo heyo hondo naye. Nezvo kwamuri, zvokuona zviratidzo izvozvo, huchava usiku zvahwo. Muchava murima, zvokushopera pasisina. Vaporofita, zuva richavadokera, zuva richasviba kwavari. Vaoni vachafumurwa, vanoshopera vachanyadziswa. Vachati kapu kubata muromo nokuti mhinduro kuna Mwari panenge pasisina. Asi ini ndakazara nesimba ndizere naMweya waTenzi uye ndakazara neruenzaniso nesimba kuti nditaurire vokwaJakobho kukanganisa kwavo, nevekwaIsiraeri chitadzo chavo. Chinzwai izvi, imi vatungamiri vemba yokwaJakobho nemi vatongi vemba yokwaIsiraeri. Munovenga ruenzaniso, uye zvose zvinenge zviri pamwero muchizviminamisa. Munovaka Zioni neropa, Jerusaremu iyoyi nezvakaipa. Vatungamiriri vayo vanoda pfumbamuromo pakutonga. Vapristi vacho, vanotoda muripo, kuti vadzidzise. Vaporofita vacho, vanoda mari kuti vashopere, uku vachivimba naTenzi vachiti, “Handiti Tenzi ari pakati pedu here? Hakuna chakaipa chichatiwira.” Naizvozvo pamusana penyu, guta reZioni richarimwa somunda, Jerusaremu ichava murwi wamatongo, chikomo cheTemberi chichava chitunhu chemiti. Mumazuva achauya zvichaitika kuti gomo reTemberi yaTenzi richaitwa kuti rive gomo rakarebesesa kupfuura makomo ose zvawo. Marudzi avanhu achakurumukira kuenda kwariri, ndudzi zhinji dzavanhu dzichauya dzichiti: “Uyai, tikwire kugomo raTenzi, kumba yaMwari wokwaJakobho atidzidzise makwara ake, titevedze nzira dzake nokuti muZioni ndimo muchabva mutemo, shoko raTenzi richabva kuJerusaremu.” Ndiye achava mutongi wamarudzi avanhu akawanda achienzanisira mhosva dzendudzi dzavanhu kusvikira kuna vari kure kure. Vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yegejo, mapfumo avo vachiaita majeko okupemhenesa miti nawo, pasisina rudzi runosumudzira rumwe rudzi bakatwa, uye zvokudzidza kurwa hondo panenge pasisina. Asi munhu wose achagara pamunda wake wamagirepisi newamaonde, pasina anovatyisidzira nokuti ndozvataurwa naTenzi wehondo nehondo nomuromo wake. Asi zviripowo ndezvizvi zvokuti: marudzi ose avanhu, rudzi norudzi runofamba muzita ramwari warwo. Isuwo tichafamba muzita raTenzi Mwari wedu narini narini. “Zvanzi naTenzi, pazuva iroro, ndichaunganidza zvirema, ndichakokorodza vakadzingirwa kure navandakapinza nhamo. Zvirema izvozvo ndizvo zvandichaita chitsama chacho chavanhu vanosara. Ivava pamwechete navakambodzingirwa kure vaya ndichavaita rudzi rwakasimba. Tenzi achavatonga ari paGomo reZioni kubvira ipapo kusvikira nokusingaperi.” Kana zviri zvewe nharirire yedanga rezvipfuwo, iwe gomo reguta reZioni, ukuru hwawaiva nahwo, uchahudzoserwa. Umambo huchauya paguta reJerusaremu. Zvino chii chaizvo chaunobongomorera kudai? Asi mauri hamuna mambo here? Jinda rako raparara here kubva warwadzwa kudai somukadzi arwadziwa napamuviri? Shanyarika udunure, iwe guta reZioni somukadzi arwadziwa napamuviri nokuti iye zvino uchabva muguta irori undogara musango zvamo. Uchaenda iwe kuBhabhironi, ikoko uchaponeswa. Tenzi achakununura ikoko mumaoko mavavengi vako. Izvozvi marudzi mazhinji avanhu ari kukukokerana achiti, “Guta reZioni ngarin'oreswe, tirionerere.” Asi zviri mumwoyo maTenzi havazvizivi, zvirongwa zvake, havazvinzwisisi kuti atovaunganidza sezvisote zvaunzwa paburiro. “Chisimuka upure zvako iwe guta reZioni nokuti ndichaita kuti uve nenyanga dzesimbi namatsiko endarira uchapwapwanyisa marudzi namarudzi ugopira kuna Tenzi zvavakanga vawana, kupira upfumi hwavo kuna Changamire wapasi pose.” Ronganisa hondo dzako iwe guta rehondo dzavarwi nokuti watokombwa iwe. Vacharova mutongi weIsiraeri neshamhu padama. “Iwe Bheterehemu wokwaEfurata, kunyange uri muduku zvako, mukati memadzinza okwaJudha, mauri iwe muchabuda mutongi wangu, achatonga Isiraeri, dzinde rokwaakabva nderakare kare rapasichigare chaipo.” Naizvozvo achambovaregera vakadaro kwechinguva kusvikira ane pamuviri pari kurwadza asununguka. Ipapo dzimwe hama dzake dzose ndopadzichadzokera kuvanhu veIsiraeri. Mwana iyeyo ndiye achatozomira chaizvo achifudza danga rake rezvipfuwo aine simba raTenzi, aine chiremera chezita raTenzi Mwari wake uye vachanyatsogara zvakanaka nokuti ukuru hwake huchasvika kwakaperera nyika. Iyeyu ndiye achatozovawanisa rugare. Patichapindirwa neAsiria munyika medu ichitsokodzera zvayo munzvimbo dzedu, tichaimutsira vokutifudza vanomwe vokuonana nayo, makurukota chaiwo avanhu, kana kutoita masere chaiwo. Ivava ndivo vachatozotonga nyika yeAsiria nehondo yamapakatwa, vachatonga nyika iyoyi yeNimurodhi vakaiburitsira bakatwa. Ivava ndivo vachatinunura kuAsiria patinenge tapindirwa munyika medu neAsiria paya ichitsokodzera munyika medu. Chitsama chevokwaJakobho chinenge chazosara chichazova mukati mendudzi nendudzi dzavanhu, chichiva sedova rinobva kuna Tenzi uye sehore dzemvura pauswa zvisingambomirira zvazvo kana vanhu. Chitsama chevokwaIsiraeri chinenge chazosara chichava mukati memarudzi nomukati mendudzi nendudzi dzavanhu, seshumba mukati memhuka dzesango seshumba ichiri duku mumatanga ehwai inoti kana ikapinda nomo inotsokodzera ichibvambura-bvambura pasina anogona kununura. Uchasumudzira shamhu, vanokuvenga, vavengi vako vose vachaurayiwa. “Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaura Tenzi, pakati penyu ndichauraya mabhiza enyu ndichiparadza ngoro dzenyu dzehondo. Ndichaparadzawo maguta omunyika menyu ndichipaza nzvimbo dzenyu dzose dzokuzvidzivirira ndadzo muhondo. Ndichaparadzazve uroyi hwamuchashandisa namaoko enyu ndigosiya usisina vanofembera namaminimini. Uye ndichaparadza mukati menyu zvifananidzo zvenyu zvamabwe zvokunamata, hauchazokotamirazve kunamata zvinhu zvamakagadzira imi namaoko enyu. Ndichadzipura mukati menyu zvifananidzo zvokunamata zvinomiririra Ashera nokuparadza maguta ako. Ndichatsiva ndakashatirwa nehasha marudzi ose asingateereri.” Chinzwai zviri kutaura Tenzi. Imimi Mwari simukai mutaure mhosva yenyu pamberi pamakomo, zvikomowo zvinzwe izwi renyu. Teererai, imi makomo, nhuna dzaTenzi nemi ugaro hwenyika hwokugara nokugara nokuti Tenzi ane nhuna navanhu vake nezvo achaita dare neIsiraeri. “Nhai vanhu vangu, chii chandakakuitirai chaizvo? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei! Nokuti ini ndakakuburitsaika munyika yeIjipiti, ndikakununurai mumba youranda. Ndakakutumirai Mosesi naAroni naMiriamu kuzokutungamirirai. Vanhu vangu, rangarirai zviya zvakanga zvarongwa naBharuki mambo weMoabhu nemhinduro iya yaakapiwa naBhiriamu mwanakomana waBheori. Rangarirai zviya zvakaitika kubvira kuShitimu kusvikira kuGirigari kuitira kuti muzive mabasa akarurama aTenzi.” Ndouya neiko chaizvo kuna Tenzi ndichizopfugamira iye Mwari wokumusoro? Ndouya here kwaari ndiine mipiro yokupisa yemhuru dzegore rimwechete? Ko iye Tenzi angafadzwe here nezviuru nezviuru zvehondohwe kana kuti gumi rezviuru zvehova dzamafuta? Ndopirira here kukanganisa kwangu dangwe rangu romukomana, ura hwangu ndichihupirira chitadzo changu ini? Inga wakaudzwa wani, nhai munhu kuti zvakanaka ndezvipi; uye kuti Tenzi anoda kuti uitei, zvaanoda dzezvizvi zvokuti: uite zvine ruenzaniso, uye zvomwoyochena zvikupinde muropa nokufambawo naMwari wako wakazvirereka. Izwi raTenzi rinodaidzira kuguta rino, zvino ungwaru chaihwo zvokutya zita renyu, “Chinzwai, imi dzinza negungano romuguta muno. Ndingakanganwe here, zviereso zvokubiridzira nezvikero zvisiri pamwero zviri mudzimba dzavakaipa? Zvisingambodiwa zvazvo naMwari. Ndoti haana mhosva here munhu ane zvikero zvokubiridzira nazvo nesaga rizere nezvokueresa zvinobiridzira? Vapfumi veguta rino vane utsinye vagari vemo varevi venhema zvinobva pamuromo pavo ndezvounyengedzi. Ndokusaka iniwo ndava kukurwadzisai nokukurovai ndichikuita dongo reguta pamusana pezvitadzo zvenyu. Imi muchadya asi kuguta musingaguti, muchabata paura nenzara. Muchapfundiridza zvinhu asi zvisingachengeteki. Zvamunenge makwanisa kuchengetedza ndichazviparadzisa nehondo yebakatwa. Kudyara muchadyara zvenyu asi pasina chamunokohwa. Kusvina maorivhi muchasvina zvenyu asi mafuta acho hamuazori. Magirepisi muchasvina zvenyu asi waini yacho, hamuinwi. Makachengeta imi mirao yamambo Omuri namaitiro ose evemba yamambo Ahabhu uye makatevedza imi tsika dzavo. Ndokusaka ini ndave kuita guta rino dongo uye vagari varo ndichivaita chiseko, saka nhamo yavanhu vangu yokusekwa ndiro richaberekana nayo.” Maiwe zvangu inga ndawira ini, nokuti ndaita senguva yezhizha iya yokunge michero yapera kutanhwa, senguva yokunge magirepisi apera kufuhwiwa, kusisina zvako kana chisumbu chokuti udye, kusisinawo maonde okutangisisa kuibva andinodisisa aya. Vanhu vanotya Mwari vapera pasi pano, muvanhu'mu hamusisina mutsvene. Vose zvavo vanohwandirana vachida kuurayana vachivhimana nomumbure hama nehama. Uipi ndohwavana maoko nahwo, ishasha chaidzo pakuhuita, gurukota nomutongi vose vanoda pfumbamuromo, mukuru mukuru chaiye anototaura zvake zvakaipa zviri mumwoyo make vobva vatoiruka nyaya yacho pamwechete. Wakanakisisa chaizvo pakati pavo akaita sorukato ari pachokwadi chaipo wacho akaita soruzhowa rweminzwa. Rasvika zuva riya rokurangwa zuva renharirire zvokukangaidzwa kwenyu zvauya zvino. Rega kuvimba nomumwe wako kana kuvimba neshamwari zvayo, bata rurimi rwako kunyange kumudzimai wako chaiye nokuti mwanakomana haachambooni baba vake sechinhu mwanasikana achimukirawo amai vake muroora achipandukira vamwene vake. Mhandu dzomunhu dzava vanhu vomumba make chaimo. Asi kana ndiri ini, changu kutarisa kuna Tenzi. Ndichamirira Mwari, ruponesi rwangu, Mwari wangu achandinzwa. Muvengi wangu iwe, rega zvako kunditi toko waro. Kana dai ndikaputsikira pasi, ndichamuka, kana dai ndikagara zvangu murima Tenzi achava chiedza changu. Ndichatirira zvangu kushatirirwa kwandakaitwa naTenzi nokuti ndakamutadzira kusvikira iye Mwari ava kutondirevererawo andienzanisirawo mhosva yangu. Achandisvitsa kuchiedza ndichitozvionerawo kununura kwake. Ipapo vavengi vangu vachazviona, nyika igobatwa nenyadzi, nyika yaimbonditi, “Ko Tenzi, Mwari wako aripiko?” Ndichanyatsoitarisa nyika iyoyo izvozvo ichitsokodzerwa pasi samatope munzira. Richasvika haro zuva rokuvaka masvingo ako. Pazuva iroro muganho wenyika uchasvika uko nokokoko. Pazuva iroro vanhu vachauya kwauri vachibva kuAsiria nokumaguta ekuIjipiti uye kubva kuIjipiti kundosvikawo kurwizi rweYufuratesi kubvawo kugungwa kundosvikawo kugungwa kubvawo kugomo kundosvika kune rimwe gomo. Asi nyika ichasara yava renje pamusana pavagari vayo uri mubayiro wezviito zvavo. Fudzai vanhu venyu nomudonzo wenyu, danga renyu renhaka vava kungogara zvavo voga musango mukati menyika yamapindu. Varegei vandofura zvavo muBhashani nomuGireadhi sapamazuva apasichigare. Sapamazuva aya amakabuda munyika yeIjipiti muvaratidze zvinhu zvinoshamisa. Marudzi avanhu achazvionerawo agonyara vaine simba ravo zvavo kudaro. Vachati nazvo muromo kapu vachitodzivira nzeve nazvo. Vachananzva guruva senyoka sezvinokambaira zvapasi pano. Vachabuda vachihuta kudedera munhare dzavo dzokuhwanda hondo. Vachatendeukira kuna Tenzi, Mwari wedu vachitya pamusana penyu. Ndiani Mwari akaita semi anoregerera uipi anokanganwira vanhu kukanganisa kuchitsama chavakasara chenhaka yake. Iye haarambi akashatirwa narini narini nokuti chaanofarira kuita mwoyochena. Achatinzwira ngoni zvakare agotsokodzera uipi hwedu pasi petsoka dzake. Muchakanda zvitadzo zvedu zvose pasi pasi pegungwa. Imi mucharatidza vokwaJakobho kutendeseka kwenyu muchionesawo vokwaAbhurahamu mwoyochena wenyu sokupika nemhiko kwamakaita kumadzibaba edu kubvira pasichigare. Chirevo chinonangana neNinivhe. Bhuku rezvakaoneswa Nahumu wokuErikoshi. Tenzi ndiMwari weshanje anotsividza, Tenzi anotsividza, anoviruka nehasha, Tenzi anotsividza vavengi vake, anodzvokora vavengi vake. Tenzi haakurumidzi kushatirwa asi simba anaro guru uye Tenzi haaregi kuranga munhu ane mhosva. Muchamupupuri nedutu remhepo ndimo mune nzira yake makore ari huruva yetsoka dzake. Anotsiura gungwa achiriomesa anopwisa nzizi dzose kuBhashani nokuKarimero kuchisvava pfumvudza yeRebhanoni ichinava. Pamberi pake makomo anodedera zvikomo zvichinyongodeka, pamberi pake nyika inonyandurwa, pasi pose nezvose zvigere mairi. Ndiani chaizvo angamirisane nehasha dzake? Chaizvo ndiani angapamire paanenge aviruka nehasha? Hasha dzake dzinoita zvokuviruka somoto matombo achitsemurwa-tsemurwa naye. Tenzi akanaka, inhare yokuhwanda pazuva rokutambudzika. Iye anozivawo vanotizira kwaari. Asi nemafashamo achanyatsoritsvaira panzvimbo paro achironda vavengi vake kusvikira murima. Ibanganoi ramunoitira Tenzi? Achanyatsotsvaira kupedza vavengi vake. Haapamhidzi ruviri kunyatsovatsividza savanhu vakadhakwa nezvokunwa vacharoromeswa seminzwa yakakochekerana uye sezvidzitsi zvemashanga zvakaoma. Handiti mamuri makabva mumwe akarongera Tenzi chimwe chinhu chakaipa akapa mazano asina maturo? Zvanzi naTenzi Mwari, “Kunyange zvavo vaine simba uye vakawanda, vachapfuudzwa vakatsakatika. Kunyange zvangu ndakambokurwadzisa handichakurwadzisazve. Saka zvino ndava kutyora joko rake riri pauri ndigodambura-dambura tambo dzako.” Tenzi atema chirevo nezvako chokuti “Zita rako harichafanira kuramba richiyeukwa. Zvifananidzo zvako zvokunamata zvemabwe akavezwa nezvoutare hwakanyungurutswa ndichazviparadza mumba yavamwari vako. Ndichakuitira guva nokuti hauna maturo.” Inzwai munzwe tsoka dzenhumwa inouya namashoko akanaka ichiparidza nezvorugare! Imi vokwaJudha, chengetai mazuva enyu makuru itai zvamakatsidza nokuti hazvizoitika zvakare nokuti muipi haachauyezve kuzokurwisa, anyatsoparadzwa chaizvo. Muparadzi akuvinga chengetedzaika nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo garirirai mumugwagwa sungai dzisimbe kokai simba renyu rose. (Chikonzero ndechokuti Tenzi ari kudzosera pakare vokwaJakobho umambo soumambo hwokwaIsiraeri nokuti vapambi vakavarozva vakaparadza matavi avo). Nhoo dzamagamba ake itsvuku varwi vake vehondo vakapfeka hanzu dzakati piriviri kutsvuka, ngoro dzacho dzehondo dzinovakuma serimi romoto dzaunganidzwa dzaronganiswa, varwi vemabhiza vorimbinyuka. Ngoro dzacho dzehondo hero besanwa mumigwagwa dzichivhetemesewa kumhanya dzichipenya semwenje dzichipenya semheni. Vakuru vakuru vanodaidzwa vanotatarika vachiendako, vanomhanyira kurusvingo varonganisa zvokuzvidzivirira nazvo. Misuo yekurwizi yazarurwa muzinda wamambo, wadumbirwa nazvo. Vahosi varo vapfekenurwa hanzu vaendwa navo vasikana vanovashandira vachiungudza vachichema senjiva. Vachizvirova chipfuva. Ninivhe yakaita sedziva rine mvura yavhozhoka. Vanodaidzira kuti ngaimire ngaimire, asi hapana ari kudzokeramo. Pambai sirivha. Pambai ndarama zvinhu zvavo hazviverengeki kana upfumi hwezvose zvinokosha. Heko kuparara! Kuparara kuita dongo! Mwoyo yapera simba mabvi achirovana kudedera. Vanhu vose vaita musana, zviso zvese zvachiti surududu. Riripiko zvino iro bako reshumba, bako reshumba ichiri kuzvinzwa, kwayaiuyisa nyama yayo kwaiva navana vayo pasina chinovakanganisa? Shumba yacho yaibvamburira vana vayo nyama yakakwana ichidzipira hadzi yayo nyama; yaizadza mapako ayo nenyama uye mumba mayo nenyama yakadanzurwa-danzurwa. Chinzwa, Tenzi wehondo nehondo ari kuti ndanangana newe zvino. “Ngoro dzako dzehondo ndichadzipwitititsa kupisa. Shumba dzako dzichiri kuzvinzwa dzicharozvwa nebakatwa. Ndichaparadza panyika nyama yako iyoyo uye mazwi enhumwa dzako haachazonzwikazve.” Zvakuwana iwe guta reropa! Guta rose rizere manyepo, rizerewo nezvinhu zvokupamba, kupamba kwacho kusingaperi! Heko kurira kwetyava! Nokuvhiririka kwemavhiri nokukakatika kwamabhiza, nokunjanjarika kwengoro dzehondo. Ivo varwi vamabhiza vachiuya kuzorwisa, vachivhevhetedza bakatwa nepfumo rinopenya. Vafi hero zararira, mirwi nemirwi yezvitunha, zvitunha zvisingaverengeki vachitogumburwa nezvitunha! Zvose izvozvo izvo zvichikonzerwa noufeve husingatauriki hwechifeve yacho inoyevedza asi iine mazango anouraya. Inoisa ndudzi munhamo nohufeve hwayo ihwohwo ichiisawo mhuri dzavanhu kurufu namazango ayo. Chinzwa, ini ndanangana newe, ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. “Ndichakufugura marokwe ako kusvika kuuso hwako marudzi akuonerere. Nyika dzikuonerere zvinonyadzisa zvako ndichakuti tsvina pororo ndikuite sechinhu chisina maturo uve chinhu chinokatyamadza. Vose vachakuona vachakukanuka vachikusuduruka vachiti, ‘Ninivhe yaparara. Ndiani achaichemawo ndichaiwanira kupikowo vokuinyaradza.’ ” Unokunda Tebhesi here iwe guta raive pedyo naNairi? Raive rakatenderedzwa nemvura gungwa riri iro rokuridzivirira mvura iri iyo rusvingo rwayo? Itiopia ndiyo yaiva musimboti waro, ndoda Ijipiti zvakanga zvisina magumo Puti nevekuRibhia vaivawo vabatsiri varo. Asi iyo yakatotorwa ikaenda kuutapwa pwere dzayo dzikapwatitsirwa pasi pakona yomugwagwa wose wose chin'ange chakakandirwa vanhu vayo vanoremekedzeka vakuru vakuru vayo vose vasungwa nengetani. Newewo uchadhakwa zvokutonyatsokundwa chaizvo ugotsvaga kwokupotera wotiza zvino muvengi. Maguta enyu etsvingo ose zvawo akaita semiti yemionde ine maonde okutanga kuibva, anoti kungoati zunzei anobva awira mukanwa momudyi. Chiona zvikwata zvako zvavarwi vava vakadzi zvavo mukati mako. Misuo mikuru yenyika yako, yakatoti hayo haradada kuzarukira zvayo vavengi vako moto waroromesa zvihuri zvako. Chitotekai mvura hondo zvayakukombai kudai simbaradzai zvokuzvidzivirira nazvo. Pindai mumatope! Kanyai ivhu! Batai zvikombore zvezvidhina! Pachaita moto uchakuparadzai bakatwa richakutsakatisai richakuparadzai semhashu. Chizviwanzai semhashu muwande sevana vemhashu. Wakawanza vanhu vako vemhindu dzokutengeserana kupfuura nyenyedzi dzedenga. Mhashu inotambanudza mapapiro ayo yobva yabhururuka kuenda kure. Machinda ako akaita semhashu, nyanzvi dzako dzezvomutemo dzava kuita semhashu dzomhara zvadzo paruzhowa nezuva rakunenge kuchitonhora. Panobuda zuva idzo dzinobhururuka dzoenda kusina anoziva kwadzinenge dzaenda. Vafudzi vako vakavata iwe mambo weAsiria kumbahuru kwako vakakotsira. Vanhu vako vapararira nomumakomo pasina anovakokorodza. Wakuvara zvingarapike ronda rako rakaipisisa kwazvo. Vose zvavo vachanzwa nezvako vacharova makwa vachiitira iwe nokuti ndiani chaizvo asina kuwirwa nohuipi hwako husingaperi? Chirevo chaMwari chakaonekwa nomuporofita Habhakuku. Nhai TENZI, kusvikira rinhi chaizvo ndichingochemera rubatsiro, imi musingateereri? Kana kuchema kwamuri kuti, “Ko utsinyeka uhu!” Asi imi musinganunuri? Chamunondionesera zvakaipa chii imi kusarurama muchikuona zvenyu? Kuparadza noutsinye zvatarisana neni, gakava nokunetsana zvinomuka. Saka mutemo waita zinyekenyeke uye hapasisina ruenzaniso runoitwa nokuti vakaipa vanokomberana varurami saka ruenzaniso rwava kuminamiswa. “Zvino chitarisai muone mukati memarudzi zvichatokushamisai zvigokukatyamadzai nokuti ndiri kuita basa mumazuva enyu rokuti kana mukarinzwa hamumboribvumi. Nokuti chiripo ndechichi, kuti ndiri kunyandutsa vaKaridhea, rudzi rwakaipa mwoyo ruya, rudzi rwavanhu akarikiriki vanobvongodza nyika yose kundopamba misha isiyavo. Vanotyisa uye vanodederesa. Kutonga kwavo ndokwomusoro wavo. Ukuru hwavo ndohwokuzvipa. “Mabhiza avo, kumhanya, mbada dzinosara pasi achityisa kupinda mhumhi dzinofamba usiku varwi vavo vamabhiza vanokakatika vachizvikudza. Heeka, varwi vavo vamabhiza vanobva kure vachibhururuka segondo risingatani kudya. “Chavanovinga vose zvavo kuzorwisa, chavananga ndichocho, havadzokeri shure vanounganidza nhapwa sejecha. Vanofifida kuseka madzimambo, vatongi vanoita zvokutotamba navo. Vanotoseka guta rese retsvingo nokuti vanoriitira chimutundurundu chevhu chinenge musana wenzou vobva varitora zvavo. Vobvapo, heyo mhepo kuenda mberi, vanhu vane mhosva, simba ravo vanoritora sokunge mwari wavo.” Inga wani ndimi Chidzachapo nhai TENZI, Mwari wangu, Anoera wangu. Isu hatisi kuzofa Inga imi TENZI makavasarudzira kuti vaunze ruenzaniso imi Dombo, ndimi makaita kuti vasimbarare kuti vave vokuranga. Maziso enyu akaruramisisisa zvokuti hamufaniri kutarisa zvinhu zvakaipa. Haakwanisi kutarisa kuita kwakatsauka. Munodarirei kungotarisa zvenyu vanhu vasina kutendeka kana iko kunyarara kwenyu muipi achimedza akarurama kupinda iye? Nokuti vanhu munovaita kuti vave sehove dzegungwa, sezvinhu zvinokambaira zvisina mutongi. Anoraura nechirauro ozvikukudza nomumbure wavo anozviti unge unge mumambure avo agopembera kwazvo kufara. Naizvozvo anobayira chibayiro kumimbure yake, opisira rusenzi kumambure ake ndizvo zvinomupa kugarika uye nezvokudya zvakawanda. Ko ivo vacharambokutura mimbure yavo vachingouraya zvisina tsitsi marudzi avanhu nokusingaperi here? Ndichaenda panzvimbo pangu pokutarisira ndiri ndigova panharirire ndakagaririra ndione kuti achanditaurira kuti kudii. Uyewo kuti ini ndichapindurei nezvokunyunyuta kwangu. Akandipindura akati, “Nyora chiratidzo ichi uite kuti chinyatsoonekwa chiri pamafendefa kuitira kuti anoverenga averengewo achimhanya nokuti chiratidzo ichocho chinomiririra nguva yacho yakatemwa chiri kumhanyira kumagumo acho; haasi manyepo. Kunyange zvikaita sezvononoka, zvimirire zvokuitika, zvinotoitika chete hazvisikuzombononoka. Chinzwa, ‘Munhu ane mwoyo usina kururama munhu iyeyo achakundikana asi akarurama achararama nokutendeseka kwake.’ ” Uyewo upfumi hunonyengedza, anozvitutumadza haaregi kurangwa. Makaro ake aanawo inzvimbo yakapamhamha seyavachakabvu, sorufu haambofa akati ndaguta. Anozvikokorodzera ndudzi dzavanhu dzose achizviunganidzira marudzi avanhu ose kuaita ake. Vose ivava havazomuka here kumunyomba vachimushora vachimusveeredza vachiti, “Zvichamuwana zvake. Anounganidza zvisizvake, kusvikira rinhiko izvozvi? Zvichamuperera iye anotakurana nezvitsidzo zvakawanda!” Ivo vane ngava newe havazoerekana vakupandukira here kana kumukirwa navamwe, vangazokudederesa ukava nyama yamagora kwavari? Iwe zvawakapamba ndudzi zhinji kudaro, vanosara mumarudzi ose iwayo, vachakupambawo iyewe kutsividza ropa ravanhu noutsinye ihwohwo pasi pano, kumaguta nokuvanhu vose vageremo. Zvichamuwana munhu anowanira imba yake zvinhu nenzira yakaipa kuti azvivakire dendere rake pamusoro kuti arege kusvikwa nezvinokuvadza. Wakafumura imba yako nokuuraya vanhu vakawanda ukazvirasisa upenyu hwako nokuti ibwe richaridza mhere mumadziro uye kumapango uku nhungo dzigodairawo. Zvichamuwana zvake munhu anovaka guta neropa kana kutanga guta pahwaro hwouipi. Handiti zvinobva kuna TENZI wehondo nehondo here zvokuti vanhu vanoshingairira zvinhu zvinozopiswa zvazvo nomoto marudzi achizvinetesera pasina? Nokuti pasi pano pachazara noruzivo rwembiri yaTENZI, sokuzadza kunoita mvura gungwa. Zvichamuwana munhu anoraradzisa vamwe vake nomukombe wehasha dzake achivaita kuti vadhakwe kuti avaonerere. Uchazvimbirwa iwe nokushorwa panze pokuwana mbiri. Newewo inwa zvako udzadzarike! Uchasvika napauri mukombe uri murudyi rwaTENZI, mbiri yako ichakurirwa nenyadzi dzako. Utsinye hwawakaita kuRebhanoni huchakupfukira, kuparadza kwawakaita mhuka kuchakutyisa, pamusana pokudeura ropa ravanhu noutsinye hwawakaita pasi pano kumaguta nokuvagari vemo vose. Chifananidzo chokunamata, ndechebasa rei chaizvo, icho chakatoitwawo zvacho nomunhu; kana chifananidzo chokunamata chesimbi chinodzidzisa nhema? Nokuti anochigadzira wacho anovimba nezvaanenge aita, anoita zvifananidzo zvokunamata zvisingatauri. Zvichamuwana munhu anoti kuchimuti zvacho, “Domukaiwo nhai,” neanoti kudombo zvaro risingataure, “Dosimukai.” Zvingavewo here nechinhu chazvingagone kuzivisa munhu? Zvamunoona kuti chakanamirirwa ndarama kana sirivha uye machiri icho hamuna kana mweya unofema. Asi TENZI, ari muTemberi yake Inoera, pasi pose ngapati mwiro kunyarara pamberi pake. Munamato womuporofita Habhakuku wokuita neShigionoti akati, TENZI ndakanzwa nezvenyu uye basa renyu TENZI rinondityisa. Rivandudzei mukati memakore muite kuti rizivikanwe mukati memakore, kana mukushatirwa rangarirai tsiye nyoro. Mwari akabva kuTemani uye Anoera achibva kuGomo reParani, mbiri yake yakakwidibira matenga nyika ikazara nokurumbidzwa kwake. Dzepfunde Kupenya kwake kwakanga kuchiita sechiedza, mirazvo ichipenya mumaoko make, akahwandisa simba rake imomo. Mberi kwake denda rakanga rakatungamira; zvirwere zvakatsikana tsoka naro. Akasimuka akapima nyika akatarisa akadederesa marudzi, makomo apakatikati ndokuati mwarara, makomo apasichigare akati ndondondo kunyura pasi. Maitiro ake aya akanga akaita saapasichigare. Ndakaona misasa yamatendhe yokuKushi yapinda nhamo, machira okudzikatirisa enyika yeMidhia odedera. Nhai TENZI, makanga mashatirirwa nzizi here? Kana kuti hasha dzenyu dzakavirukira nzizi kana kuti makavirukira gungwa nehasha, pamakanga makatasva mabhiza enyu muri mungoro dzenyu dzehondo dzokukurira? Makasunungura hara pauta hwenyu mukaisa museve wenyu patambo yokukungisa mukatsemura nyika nenzizi. Dzepfunde Makomo akakuonai akazvongonyoka; mvura ine hasha ikakukura hwenje hukaunga; masaisai akasimuka mudenga. Zuva nemwedzi zvakati mbikiti kumira panzvimbo pazvo kuchiedza chemiseve yenyu yaipembera kuenda pakuvaima kwepfumo renyu. Makatara nhanho pasi pano makatsamwa mukatsokodzera marudzi avanhu makashatirwa. Makabuda kundonunura vanhu venyu, kuponesa muzodzwa wenyu. Makapwanya musoro womuipi mukamupfekenura kusiya ava musvo kubvira kumakumbo kusvikira pamutsipa. Dzepfunde Makabaya varwi vake musoro nemhayo dzenyu vakanga vauya sechamupupuri kuzondimwararisa, vachifara kwazvo sokunge vanoda kuzhanya varombo muchivande. Makabvongodza gungwa namabhiza enyu, mvura yamafashafasha ine simba. Ndinonzwa muviri wangu uchigwagwadza, miromo yangu ichidedereswa noruzha. Ndatyorwa mapfupa ini, kufamba ndava kungodhadharika. Ndichamirira chinyararire zuva renhamo richawira vanhu vanotirwisa. Kunyange zvazvo mukuyu ukarega kupfumvudza, kunyange mugirepisi ukashaya michero kana pamuorivhi pakashaika michero mindawo isina kubereka chokudya zvipfuwo muzvirugu zvapera kufa mumatanga musisina mombe, zvakadaro zvazvo ndichafara muna TENZI. Ndichafara naMwari muponesi wangu. TENZI, Mwari ndiye simba rangu. Makumbo angu anoaita seemhara achindifambisa panzvimbo dzangu dzokumusoro. Izvi ndezvomuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzokuridza. Shoko rakauya kuna Zefaniya mwanakomana waKushi, mwana waGadharia mwanakomana waAmariya, mwanakomana waHezekiya, mumazuva aJosiya mwanakomana waAmoni mambo wokwaJudha. “Ndichanyatsotsvaira kutopedza zvose zviri pamusoro payo nyika. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichatsvaira vanhu nemhuka uye ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa uye zvimhingamupini, vanhu vakaipa, ndichatsakatisa vanhu pamusoro payo nyika. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Ndichasumudzira vokwaJudha shamhu yoruoko rwangu uye vagari veJerusaremu vose zvavo. Ndichatsakatisawo munzvimbo ino vokwaBhaari vakasara uye nezita revapristi vanonamata zvifananidzo. Ivo vanopfugama kunamata pamusoro pedzimba gurusvusvu rezvinhu zvomumatenga, vanopfugama pasi vachipika nezita raTenzi ivo vachipika zvavo nezita raMirikomu, navakafuratira Tenzi vasisatsvaki Tenzi kana kunzwa kuti anotii.” Chitotii zvenyu mwi-i pamberi paTenzi Mwari nokuti zuva raTenzi rosvika Tenzi akagadzirira chibayiro akazvitsaurira vaenzi vake. “Pazuva raTenzi rechibayiro ndicharanga vakuru vakuru navanakomana vamambo nevose zvavo vanopfeka hanzu dzechirudzi. Nezuva iroro ndicharanga munhu wose anodarika chikumbaridzo napamusuo navanozadza dzimba dzatenzi wavo noutsinye nounyengedzi. “Pazuva iroro ndizvo zviri kutaura Tenzi kucharira mhere kuSuo Guru reHove kuungudza kuchibva kumana rechipiri, kungondomoka kukuru kuzvikomo. Chemai imi vagari vokuMakiteshi nokuti vemhindu dzokutengeserana vose hapasisina ivo vokupima sirivha vose vakatsakatika. “Panguva iyoyo ndichatsvaka nerambi muJerusaremu ndichiranga vanhu ivavo vane manzvengeredzero avo vanozviti nechomumwoyo, ‘Tenzi hapana zvaanomboita, zvakanaka kana zvakaipa.’ Zvinhu zvavo zvichapambwa dzimba dzavo dzichaparadzwa kunyange zvavo vakavaka dzimba havazombodzigari. Kunyange zvavo vakasima minda yemagirepisi, waini yacho havainwi.” Zuva guru raTenzi rosvika, rokasika chaizvo kusvika, bongozozo rezuva raTenzi rinorwadza, gamba chairo richatobongomora kuiridza mhere ipapo. Zuva iroro izuva rehasha musi wokutambura nokurwadzwa zuva repfumvu nokuparara musi werima nezarima zuva ramakore akati kwirindindi zuva rokurira kwehwamanda nokurira kwemhere yehondo yokurwisa maguta etsvingo nezvokuzvidzivirira nazvo zvakati dzu-u kureba. “Ndichaonesa vanhu nhamo zvokutofamba samapofu zvawo nokuti vakatadzira Tenzi. Ropa ravo richanyatsowodzvorwa seguruva uye nyama yavo sendove.” Kunyange sirivha yavo kana ndarama yavo haigoni kuvanunura, pamusi wehasha dzaTenzi. Nyika yose zvayo icharoromeswa mumoto wehasha dzake dzeshanje; achanyatsoyerekana avaparadza; ndozvaachaita kuvagari vapasi pano vose zvavo. Kokorodzanai muite musangano imi rudzi rwavanhu vasinganyari musati mapupurutsirwa kure sehundi iri kupepetswa imi musati mavirukirwa nehasha dzaTenzi musati mawirwa nezuva rehasha dzaTenzi. Tsvakai Tenzi, imi mose varombo venyika iyi vanotevedza mirao yake. Tsvakai kururama mutsvage kuzvininipisa, zvimwe mungahwandiswe pamusi wehasha dzaTenzi. Chikonzero chacho ndechokuti: Gaza iyi ichatizwa uye Ashikeroni ichava dongo zvaro vanhu veAshidhodhi vachadzingwa zuva rakacheka nyika, uye Ekironi ichadzipurwa. Muchawira zvenyu imi vagari vokumahombekombe kwegungwa, imi rudzi rwevanhu vechiKereti. Shoko raTenzi ranangana nemi. Iwe Kanani, nyika yevaFirisitia ndichakuparadza zvokusara musisina anogara imomo. Nemi mahombekombe egungwa muchava mafuro zvawo makan'a avafudzi pamwechete namatanga ezvipfuwo. Nyika yokumahombekombe kwegungwa ichava yechitsama chakasara chemba yokwaJudha ichiva mafuro avo uye nomudzimba dzeAshikeroni ndomavacharara zvavo kumanheru nokuti Tenzi, Mwari wavo achange avabvakachira achivadzosera makomborero avo. “Ndakanzwa ini kunyomba kweMoabhu nokutuka kwavaAmoni kutuka kwavakaita vanhu vangu vachidadira nyika yavo. Ndokusaka zvava kunzi naTenzi wehondo nehondo iye Mwari weIsiraeri, hezvino ndakadai, Moabhu ichaita seSodhomu vanhu vechiAmoni vachaita seGomora kuva nyika yorukato namakomba omunyu yava renje nokusingaperi. Chitsama chavanhu vangu chinosara chacho chichavapamba, verudzi rwangu vanenge vapunyuka rufu vachavaita vanhu vavo.” Iwoyu ndouchava mubayiro wavo wokuzvikudza kwavo nokuti vaishora nokudadira vanhu vaTenzi wehondo nehondo. Tenzi achavatyisa kwazvo. Hongu achashayisa maturo vamwari vapanyika vese uye marudzi achati kwaari pasi gwadagwa vari kunzvimbo dzavo ikoko. Newewo iyewe Itiopia uchaurayiwa nehondo yebakatwa rangu. Iye achasumudzira vokuchamhembe shamhu yoruoko rwake agoparadza Asiria Ninivhe achisiya yava dongo renje zvaro rakaoma rakaita segwenga. Matanga emombe acharara zvawo pakati paro, mhuka dzose dzesango magora nenjiri zvose zviri zviviri zvichagara pambiru dzaro, kuchema kwezizi kuchinzwika mumawindho gunguo richachema riri pamusuo mapango emusidhari achanzi panze yacha kufukurwa. Ndirorika guta ramafaro rakanga rigere pamutambaratede rokumbozviti, “Ndini pano, ini chete, hakuna kana mumwezve.” Hero rava renje zvaro dambiro remhuka dzesango. Munhu wose anopfuura nepariri achashamiswa achirasa-rasa maoko ake. Rine nhamo guta rakapanduka rakan'ora, guta rinoonesa vanhu ndondo. Hakuna izwi rarinoteerera, indambakuudzwa zvayo yeguta. Harivimbi naTenzi hariswederiwo pedyo naMwari waro. Vakuru vakuru varo vari mariri ishumba dzinodzvova, vatongi varo imhumi dzamanheru dzisina chadzinosiya chinosvika mangwanani. Vaporofita varo havana hunhu, vanhu vasina kutendeka. Vapristi varo vanon'oresa zvinhu zvinoera vachityora havo mutemo. Tenzi ari mukati maro akarurama, hapana chaanokanganisa. Mangwanani ari wose anoratidza ruenzaniso rwake, mambakwedza oga oga haakundikani. Asi vanhu vasina ruenzaniso havazivi chinonzi kunyara. “Ndakatsakatisa dzindudzi, zvokuzvidzivirira nazvo kuhondo zvasara zvava matongo. Ndakaparadza migwagwa yavo zvokuti hapana achatsikamo. Maguta avo ava matongo asina munhu kana anogaramo. Ndaiti ini, zvimwe richanditya rikabvuma kutsiurwa rikarega kurasikirwa nezvose zvandakaripa. Ndopavaibva vatoita zviito zvavo zvakaipa zvose. “Naizvozvo chindimirirai,” ndizvo zvinotaura Tenzi mumirire zuva randichasimuka sechapupu nokuti chandiri kufunga ndechokuunganidza marudzi nokukokorodza dzinyika kuti ndipedzere pavari shungu dzangu, kuviruka kwangu kwose nehasha nokuti nyika yose icharoromeswa mumoto wehasha dzeshanje yangu. “Eeka panguva iyoyo ndichapindura matauriro evechirudzi kuti vaite mutauriro mutsvene kuitira kuti vose zvavo vanamate zita raTenzi vamushandire nemwoyo mumwechete. Kubvira kumhiri kwenzizi dzeItiopia vangu ini vanondinamata, vana vavanhu vangu vakapararira nenyika; vachandivigira mipiro yangu. Vanozvirereka vanenge vasara muIsiraeri. Pazuva iroro hamuchazonyadziswi nezviito zvamakandipandukira nazvo nokuti ipapo ndichabvisa pakati penyu vose vanozvikudza vachizvibhebhesa. Hamuzozvitutumadza mugomo rangu. Chiripo ndechichi chokuti ndichasiya pakati penyu vanhu vanozvidukupisa vanozvirereka. Vachapona nokupotera nezita raTenzi. Vanhu vanenge vasara muIsiraeri havana uipi hwavachazoita kana kureva nhema. Mumuromo mavo hamuchazowanikwa rurimi rune unyengedzi nokuti vacharara zvavo kusina anovatyityidzira.” Imbisa zvikuru kwazvo iwe mukunda guta reZioni. Daidzira iwe Isiraeri. Pembera kufara nomwoyo wako wose iwe mukunda guta reJerusaremu! Tenzi abvisa kurangwa kwako kwakakumirira, vavengi vako avadzinga. Mambo weIsiraeri, Tenzi ari pakati pako hapana chakaipa chauchazotyazve. Nomusi iwoyo kuchanzi nezveJerusaremu, “Rega zvako kutya iwe Zioni rega zvako kurukutika maoko ako. Tenzi, Mwari wako ari mukati mako, murwi wehondo anoita kuti ukurire achakufarira zvikuru aine rufaro, achakumutsirudza murudo rwake achakupemberera achiimbisa zvikuru kwazvo sezvinoitwa pazuva guru.” “Ndichakubvisira nhamo pauri zvokuti hauzonyara nazvo. Chinzwa, panguva iyoyo, ndichaonana nevanokurwadzisa ndigonunura zvirema ndikokorodze vanosemwa. Ndichapindura kunyara kwavo ndichikuita kuti kuve kurumbidza kuzivikanwe pasi pose. “Panguva iyoyo ndichakudzorerai kumusha, panguva yacho yandinenge ndakuunganidzai pamwechete. Honguka ndichaita kuti muve nembiri nokurumbidzwa pakati pamarudzi ose avanhu vepanyika pandinenge ndokudzorerai kubudirira kwenyu muchitozviona.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Mugore rechipiri ramambo Dhariusi, mumwedzi wechitanhatu, pazuva rokutanga romwedzi shoko raTenzi rakauya nokunomuporofita Hagai kuna Zerubhabhero, mwanakomana waShearitieri mutongi wokwaJudha, uye kuna Joshuwa, mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo: “Vanhu ava vanoti nguva ichigere kusvika yokuvakazve Temberi yaTenzi.” Ndipo pakazouya shoko raTenzi nokunemuporofita Hagai richiti, “Ndiyo nguva here iyoyi yokuti imi munogara zvenyu mudzimba dzakashongedzwa namapango akavezwa, imba iyi riri dongo? Zvino zvanzi naTenzi wehondo nehondo, chimbofungaiwo mumwoyo menyu kuti zviri kukufambirai sei. “Inga makadyara zvakawanda wani asi mukakohwa tushomanani, munodya zvenyu asi kuguta hamuguti, kunwa munonwa asi nyota yenyu haiperi; munopfeka asi hamudziirwi. Anotambira mubayiro nokusevenza kwake anotambirira kuuisa muhomwe yakabooka. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, chimbofungai zvenyu mumwoyo menyu kuti zviri kumbokufambirai sei. Endai kumakomo mundotora mapango muvake imba iyoyi, ndichafadzwa nayo uye ndicharumbidzwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Maitarisira kuva namaguta asi twakawanikwa twacho twushomanani. Pamakatwuunza kumusha, ini ndakatwupupurutsa. Pamusana peiko? Ndiwo mubvunzo una Tenzi wehondo nehondo. Chikonzero ndechokuti Temberi yangu inongova dongo zvaro mumwe nomumwe wenyu achimhanya mhanya nezvemba yake. Ndokusaka mvura yarambira mudenga uye nyikawo isina chayakabereka. Ndakarambidza mvura kunaya panyika napamakomo, napambesa, napamagirepisi matsva, napamiorivhi, uye nembeswa dzose dzinorimwa muvhu, napavanhu nepamombe, napazvinhu zvose zvavanorima.” Ipapo Zerubhabhero mwanakomana waShearitieri, naJoshuwa mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nechitsama chavanhu chakanga chasara vakateerera shoko raTenzi Mwari wavo namashoko omuporofita Hagai sokutumwa kwaakanga aitwa naTenzi Mwari wavo. Vanhu vakatya Tenzi. Zvino Hagai nhumwa yaTenzi, akataura kuvanhu aine shoko raTenzi achiti Tenzi ari kuti, “Ndinemi.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Tenzi akamutsa mwoyo waZerubhabhero, mwanakomana waShearitieri mutongi wokwaJudha, nemwoyo waJoshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru, uyewo mwoyo yechitsama chavanhu vose vakasara vakauya vakashanda paTemberi yaTenzi wehondo nehondo, Mwari wavo pazuva remakumi maviri nerechina romwedzi, mumwedzi wechitanhatu. Mugore rechipiri ramambo Dhariusi, pamwedzi wechinomwe pazuva ramakumi maviri nerimwechete shoko raTenzi rakauya nokunaHagai, muporofita richiti, “Zvino taurira Zerubhabhero, mwanakomana waShearitieri mutongi wokwaJudha, uye Joshuwa mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, uye chitsama chavanhu chose chakasara uti, ‘Pane mumwe here pakati penyu asara akaona kunaka kwakanga kwakaita Temberi iyi pakutanga, munoiona yakadii zvino izvi? Sokuonawo kwenyu handiti inenge chinhu pasina?’ Zvisinei hazvo, zvino tsunga mwoyo iwe Zerubhabhero, ndizvo zvinotaura Tenzi. Tsunga mwoyo Joshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru. Tsungaiwo mwoyo imi vanhu vose venyika ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zviri kunzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Shandai nokuti ndinemi sokukutsidzirai kwandakaita pamakabuda muIjipiti. Mweya wangu uri mamuri, musatye.’ “Chandinodariro ndechokuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Kusati kwapera nguva ndefu ini ndichazunzazve matenga nenyika negungwa napasi pakaoma. Ndichazunza marudzi ose avanhu zvokuti upfumi hwamarudzi ose huchauya ndigozadza Temberi ino norunako,’ ndizvo zviri kutaura Tenzi. Mari ndeyangu, nendarama ndeyangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Runako rweTemberi iyi yeshure ruchava pamberi kupfuura yakare iya. Ndizvo zvinotaura Tenzi wehondo nehondo. Nzvimbo ino ndichaiita kuti ibudirire.” Pazuva regumi nerechina romwedzi wechipfumbamwe, muri mugore rechipiri raDhariusi, shoko raTenzi rakauya nokunaHagai muporofita richiti, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo bvunza vapristi mubvunzo uyu vakuudze kuti ndizvo here. Iti, ‘Ko kana munhu akatakura nyama inoera mumukombero wehanzu dzake akazogumha nemukombero iwoyo chingwa, kana kuti bota, kana waini kana mafuta kana chokudya chipi nechipi zvacho, chinobva chava chinoera here?’ ” Vapristi vakati, “Kwete.” Hagai ndokutizve, “Ko munhu anenge an'ora pamusana pokugunzva chitunha iye ozondogumha chimwe chaizvozvi izvi chinobva chan'ora here?” Vapristi vakati, “Chinon'ora.” Hagai ndokuti, “Ndizvo zvimwechete navanhu ava, nerudzi urwu rwavanhu ruri pamberi pangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndizvo zvine basa ramaoko avo kanawo zvavanopira ipapo zvakan'ora.” “Zvino momborangarira izvi mumwoyo menyu zvichaitika kubvira nhasi uno zvichienda mberi. Ko paTemberi iyi yaTenzi pasati paiswa dombo pamusoro perimwe zvaikufambirai sei. Zvaiti kana munhu akaenda pamurwi unezviero makumi maviri aiwana paine gumi chete. Kana munhu aienda kuguvi rewaini kundochera zviero makumi mashanu aiwana muine makumi maviri chete. Ndakakurovai neshamhu uye ndikarovawo basa ramunoita neshamu yechirwere, nechiundudzi nechimvuramahwe. Asi hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chimbozvifungai kuti kubvira nhasi uno zviri kuenda mberi, kubvira pazuva rechimakumi maviri nechina romwedzi wechipfumbamwe, musi wacherwa ugaro hweTemberi yaTenzi imbozvifungaiwo mune mbeu dzichiri mudura nanhasi handiti? Kusvikira pari nhasi mugirepisi nomuwonde nomupomegraniti, nomuorivhi hapana chairi kubereka handiti. Kubvira pari nhasi ndichakukomborerai.” Shoko raTenzi rakauya rwechipiri kuna Hagai pazuva ramakumi maviri nerechina romwedzi richiti taura kuna Zerubhabhero mutongi wokwaJudha uti, “Ndava kuzozunza matenga napasi. Uye kuzoparadza umambo hwedzinyika, ndava kuda kuzoparadza simba reumambo hwamarudzi ndichikurira ngoro dzehondo nevanenge vakakwiramo, mabhiza acho navatasvi vawo vachati pasi rikiti kuwa vose zvavo vachiurayana namapakatwa. Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi wehondo nehondo ndichakutora iwe, Zerubhabhero, muranda wangu, mwanakomana weShearitieri, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndikuite seringi rechidhindo nokuti ndakusarudza,” ndizvo zviri kutaura Tenzi. Mumwedzi worusere, mugore rechipiri rokutonga kwaDhariusi, shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho muporofita rikati, “TENZI akashatirirwa zvikuru kwazvo madzibaba enyu. Naizvozvo chiti kwavari TENZI wehondo nehondo ati dzokerai kwandiri, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo kuti iniwo ndidzokere kwamuri. Ndizvo zviri kurehwa naTENZI wehondo nehondo. Regai kuita samadzibaba enyu akadanidzirwa navaporofita vokutanga vachiti, ‘TENZI wehondo nehondo ati dzokai kunzira dzenyu dzakaipa mudzoke kuzviito zvenyu zvakaipa.’ Asi ivo havana kuteerera kana kunzwa, ndizvo zviri kutaura TENZI. Madzibaba enyu aripi zvino? Kana ivo vaporofita vanogara narini narini here? Ko iwo mashoko angu nemirao yangu zvandakaudza varanda vangu vaporofita hazvina kukaurisa madzibaba enyu here? Vakazotendeuka voti inga wani zviya zvakanga zvarongwa kuitwa kwatiri naTENZI wehondo nehondo zvichifambirana nenzira dzedu nezviito zvedu ndizvo zvaari kuita kwatiri.” Pamusi wegumi nechina wemwedzi wegumi nechiposhi, uri mwedzi waShebhati, mugore rechipiri rokutonga kwaDhariusi, shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho muporofita; “Usiku ndakaona hoyo munhu akatasva bhiza dzvuku. Izvozvo aiva amire mukati memadenhe emumiti yorukato mumupata kuseri kwake kuina mabhizawo matsvuku neakatsvukuruka namachena. Ini ndokuti, ‘Zviiko izvozvi nhaimi changamire wangu?’ Mutumwa aitaura neni iyeyo akati, ‘Ndichakuratidza kuti zvii izvozvi.’ Murume akanga amire pakati pamakwenzi emimitiri uya akapindura achiti, ‘Ivava ndidzo nhumwa dzakatumwa naTENZI dzichafamba nenyika yose.’ “Ivo vakapindura mutumwa waTENZI uya aiva amire mukati mamakwenzi emimitiri vachiti, ‘Tafamba nenyika yose tikaona kuti igere murunyararo.’ “Mutumwa waTENZI akati, ‘Nhai TENZI wehondo nehondo, kusvikira rinhi chaizvo musingaitirewo tsiye nyoro Jerusaremu namaguta okwaJudha amakadai kushatirirwa kwamakumi manomwe amakore?’ “TENZI akapindura mutumwa waitaura neni namazwi akanaka anonyaradza mwoyo. Nokudaro mutumwa aitaura neni akanditi, ‘Danidzira uchiti zvanzi naTENZI wehondo nehondo, Jerusaremu neZioni zvandipa kuti ndiite shanje inobaya mwoyo kwazvo. Uye ndashatirirwa kwazvo marudzi avanhu vagere zvavo mumutambaratede nokuti pandakamboti hangu shatirwei zvishoma ivo ndipo pavakatodarikidza kuparadza. Ndokusaka zvava kunzi naTENZI ndadzokera kuJerusaremu ndiine tsiye nyoro. Imba yangu ichavakwa mukati maro, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, uye tambo yokuyeresa ichanzi tande tande pamusoro peJerusaremu.’ “Danidzirazve uchiti TENZI wehondo nehondo anoti, ‘Maguta angu achafashukira noupfumi, achanyaradzazve Zioni achisarudza Jerusaremu zvakare.’ ” Ndakasimudza musoro ndikaona hedzo nyanga ina! Ini ndokuti kumutumwa wandaikurukura naye, “Ko zviiko izvi?” Iye akabva anditi, “Ndidzo nyanga dzakamwararisa vokwaJudha nevokwaIsiraeri neJerusaremu.” TENZI akandiratidzawo vapfuuri vesimbi vana. Ini ndikati, “Ko ivava vari kuuya kuzoitei?” Iye ndokuti, “Ndidzo nyanga dzakamwararisa vokwaJudha zvokushaya kana nomumwechete akasimudza musoro. Zvino ivava vauya kuzovatyityidzira vachiwondomorera pasi masimba amarudzi akasimudza nyanga dzawo achitunga nyika yokwaJudha kuti iparare.” Ndakasimudza musoro ndikaona hoyo munhu ane tambo yokueresa muruoko rwake. Ndakati, “Uri kuendepiko?” Iye akati kwandiri, “Kundoera Jerusaremu ndigoona kuti upamhi hwayo hwakadii uye kuti urefu hwayo hwakadii?” Ndiye onei mutumwa uya aitaura neni wauya ndokubva mumwe mutumwawo auyapo kuzosangana naye akati kwaari, “Mhanyira kumukomana uyo uti kwaari, ‘Jerusaremu ichagarwa semisha isina tsvingo zvakonzerwa nokuwanda kwavanhu nezvipfuwo mairi.’ Zvichavapo ndezvokuti ini ndichava kwairi rusvingo rwomoto kuitenderera, ndizvo zviri kutaura TENZI, uye ini ndichava mbiri mairi.” “Hezvo! Hezvo iwe! Tizai kunyika yokuchamhembe ndizvo zviri kutaura TENZI nokuti ndakakuitai rumwe rumwe uyu kwake uyu kwake, kumativi mana emhepo yokumatenga, ndizvo zviri kutaura TENZI. Hezvo iwe tizirai kuguta reZioni imi mugere nomukunda iyeyo Bhabhironi nokuti zvanzi naTENZI wehondo nehondo, mushure momukurumbira wake iye akazondituma kumarudzi aya akakupambai nokuti anenge angokugunzvai watobata mboni yeziso rake, ‘Chirega uone, ndichavazunzira ruoko rwangu vagova nhapwa kuna vaivashandira.’ “Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo ndiye akandituma. “Imba upembere zvako iwe mukunda, guta reZioni nokuti ndichauya ndigoita musha mukati mako.” Ndizvo zviri kutaura TENZI. Izvozvo marudzi akawanda achazvibatanidza naTENZI nomusi iwoyo uye vachavawo vanhu vangu. Ini ndichaita musha mukati mako. Ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo ndiye akandituma kwauri. Ipapo TENZI achagara nhaka vokwaJudha somugovewo wake munyika inoera achizosarudza zvakare Jerusaremu. Imi vanhuwe — e, mose zvenyu, itii mwiro kunyarara pana TENZI nokuti azvisumukira iye pachake kubva mumusha make munoera. Akazondiratidzawo Joshuwa mupristi mukuru amire mberi kwomutumwa waTENZI uye Satani amirewo kurudyi kwake kuti amupe mhosva. TENZI akati kuna Satani, “TENZI ngaakurange iwe Satani! TENZI nyakuzvisarudzira Jerusaremu ngaakurange! Handiti iyeyu chitsiga chakatoburwa mumoto here?” Izvozvo Joshuwa akanga akapfeka mbatya dzine tsvina amire pamberi pomutumwa. Mutumwa uya akataura kuna vaiva vakamira pamberi pake achiti, “Mupfekenurei hanzu dzine tsvina idzi.” Akatiwo kuna Joshuwa, “Tarira uone, ndakubvisa uipi hwako uye ndava kukushongedza hanzu yemandiriri.” Ini ndikati, “Ngavadzike Joshuwa ngundu yakachena mumusoro.” Saizvozvowo vakamudzika ngundu yakachena mumusoro vakamushongedza hanzu dzacho. Izvozvo mutumwa waTENZI aiva amire pedyo navo. Mutumwa waTENZI akakomekedza Joshuwa kuti: “Zvanzi naTENZI wehondo nehondo, kana ukatevedza nzira dzangu uchichengeta zvandakati uite uchatonga imba yangu uye nhandare dzangu dzichavawo mumaoko ako. Ndichakupawo mvumo yokupinda mukati mavanhu vamire pano. Chinzwa, zvino iwe mupristi mukuru Joshuwa, iyewe neshamwari dzako dzaugere nadzo sezvo vari chiratidzo cheramangwana rakanaka. Chinzwai, ndichaunza muranda wangu iye Bazi nokuti zvaunoona! Pabwe randakaisa pamberi paJoshuwa, pabwe rimwechete zvaro rine mativi manomwe, ndichaitapo zvokutemera zvinyorwa zvapo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Ndichabvisawo uipi hwenyika ino nezuva rimwechete chairo. Pamusi iwoyo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, mumwe nomumwe wenyu achakoka waakagarisana naye kuzotandara pasi pomugirepisi wake napasi pomukuyu wake.” Mutumwa aitaura neni uya akauya zvakare akandimutsa somunhu amutswa kutsi kwehope akati kwandiri, “Uri kuonei?” Ini ndakati, “Ndiri kuona chigadzikiro chomwenje chendarama chose zvacho chine mudziyo uri pamusoro pacho una marambi manomwe pauri ana marimi manomwewo parambi rimwe nerimwe ramarambi iwayo ari pamusoro pacho. Uye pane miti yemiorivhi pedyo nacho yakati mumwe kurudyi kwomudziyo iwoyo mumwewo uri kuruboshwe kwawo.” Ini ndakabvunza mutumwa aitaura nemi ndikati, “Ko zviiko izvozvi nhai changamire wangu?” Mutumwa aitaura neni uya akandidaira achiti, “Hauzivi nhai kuti zvii izvozvo?” Ini ndokuti, “Kwete, changamire wangu.” Akabva anditi, “Herino shoko raTENZI rinonangana naZerubhabhero rinoti: ‘Hazviitwi zvehondo kana zvechisimba asi naMweya wangu, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo.’ Uri chii chaizvo iwe zigomo guru? Mberi kwaZerubhabhero uchava bani zvaro iwe, iye achiunza mberi ibwe rapamusoro kuchidaidzirwa kunzi, ‘Kunaka here ikoku, kunaka here uku!’ ” Shoko raTENZI rakauyazve kwandiri richiti, “Zerubhabhero namaoko ake ndiye akavaka ugaro hwemba ino uye achaipedzesawo namaoko ake. Ndipo pauchaziva kuti TENZI wehondo nehondo ndiye andituma kwauri. Chandinodariro ndechokuti ani zvake anenge akambosvora zuva retunhu tudiki achatozopemberawo achizvionera nameso ake Zerubhabhero akabata muruoko tambo yokuvaka nayo yokuyeresa kutwasuka. “Zvinomwe izvi, maziso aTENZI anobvongodza kuona pasi pose zvapo.” Ndakati kwaari, “Ko iyi miti miviri yemiorivhi iyi yakati uyu kurudyi uyu kuruboshwe kwechigadzikiro chomwenje, zviiko izvozvi?” Ndakamubvunza rwepiri kuti, “Ko maikowo iwaya mapazi maviri omuti womuorivhi aya ari padivi pepombi mbiri dzendarama, dzinoburitsa mafuta endarama?” Iye akati kwandiri, “Hauzivi here kuti izvozvi zvii?” Ndikati, “Kwete changamire wangu.” Akabva ati, “Ivava ndovazodzwa vaviri vanomira naChangamire wapasi pose.” Ndakasimudza musoro ndikatarisa wonei bhuku rokumononora richibhururuka. Akabva anditi, “Ko chii chauri kuona?” Ndakadavira ndichiti, “Ndiri kuona bhuku rekumononora riri kubhururuka. Urefu hwaro hunoita mamita mapfumbamwe uye upamhi hwaro huchiita mamita mana ane hafu.” Akazoti kwandiri, “Irworwu urwu ndirwo rushambwa rwawira pamusoro penyika yose nokuti kubvira iye zvino anenge angoba chete anosungirwa kuparadzwa zvichienderanawo norushambwa irworwo uye anopika nhema achaparadzwa zvechienderana narwo. Ndini charwutumidzira, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo rugopinda mumba membavha nomumba memunhu anopika zvenhema nezita rangu rwuchagara mumba make rwuiroromese mapango zvose namatombo.” Mutumwa aitaura neni uya akauyapo akati kwandiri, “Simudza musoro uone kuti zvii zvavakuuya.” Ini ndakati, “Chiiko?” Akati, “Ibhaghidhi riri kuuya.” Akatiwo, “Irori ndiho uipi hwavo munyika iyoyi yose zvayo.” Ndiye onei chivharo chomutobvu chakuduburwa. Izvozvo makanga muina mukadzi agere mubhaghidhi imomo. Mutumwa uya ndokuti, “Uhu huipi uhu.” Akabva amukanda pasi imomo mubhaghidhi makare akaroverera pasi chivharo chacho chomutobvu chairema pamuromo waro. Ndakasimudza musoro ndikaona havo vakadzi vaviri vachiuya mberi. Mhepo yakanga iri mumapapiro mavo. Vaiva vane mapapiro akaita semapapiro eshuramurove. Vakasumudzira bhaghidhi iroro pakati penyika nedenga. Ndakabvunza mutumwa aitaura neni uya kuti, “Ko ivava vava kuendesa bhaghidhi iroro kupi?” Akanditi, “Kunyika yeShinari kundorivakira imba yokunamatira. Rikange ravakirwa saizvozvo richagadzikirwa pachigadzikiro paro.” Ndakasimudzazve musoro ndikaona hedzo ngoro ina dzehondo dzichibuda napakati pamakomo maviri. Makomo acho akanga ari makomo endarira. Ngoro yehondo yokutanga yakanga ina mabhiza matsvuku, yechipiri iina mabhiza matema yetatu yacho iina mabhiza machena. Ngoro yehondo yechina yaiva namabhiza mapfumbu, ano chaiwo. Ndakabvunza mutumwa uya aitaura neni kuti, “Ko izvi zviiko nhai changamire wangu?” Mutumwa uye akandipindura achiti, “Idzodzi dziri kuenda kumativi mana emhepo dzedenga mushure mokunge dzambozvikumikidza kuna Changamire wapasi pose.” Ngoro yehondo ina mabhiza matema inoenda kunyika yokuchamhembe, machena achaenda kunyika yokumadokero. Mapfumbu anoendawo kunyika yokumaodzanyemba. Pakabuda mabhiza, aya ano chaiwo akanga asingagare zvakanaka nokuda kupinda munzira kuti apote nenyika. Ndokubva iye ati, “Chiendai mupote nenyika.” Saizvozvowo akapota nayo nyika. Akazodaidzira kwandiri achiti, “Chinzwa, vaya vanoenda kunyika yokuchamhembe vapa kuti mweya wangu uwane zororo kunyika yokuchamhembe.” Shoko raTENZI rakazouya kwandiri rikati, “Enda kunhapwa utore Heridhai naTobhiya naJedhaya vasvika vachibva kuBhabhironi ubva waenda musi wakarewo kumba kwaJosiya mwanakomana waZefaniya. Unotora kwavari sirivha nendarama uite nayo ngundu uidzike mumusoro maJoshuwa mwanakomna waJehozadhaki mupristi mukuru umuti zvanzi naTENZI wehondo nehondo: ‘Chinzwa, murume ane zita rokuti Bazi achabukira kuva bazi munzvimbo maari achizovaka Temberi yaTENZI. Iye ndiye achavaka Temberi yaTENZI uye achawana chiremera choumambo uye achagara pachigaro choumambo achitonga. Pachava nomupristi pedyo nechigaro chake choumambo vachiwirirana vachinzwisisana kwazvo pauviri hwavo.’ Ngundu dzinofanira kuzova muTemberi yaTENZI sechiyeuchidzo chokuyeuka nacho Heridhai naTobhiya naJedhaya naJosiya mwanakomana waZefaniya.” Vari kurewo vachauya kuzovaka Temberi yaTENZI. Ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo andituma kwamuri. Izvozvi zvichaitika kana mukanyatsoteerera izwi raTENZI, Mwari wenyu. Mugore rechina rokutonga kwamambo Dhariusi, shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya pamusi wechina wemwedzi wechipfumbamwe uri mwedzi waKisirevhu. Zvino vanhu vokuBhetieri vakanga vatumira Sharezeru naRegemereki navarume vokwavo kundoteterera kuti vaitirwe tsiye nyoro naTENZI, nokundobvunzawo vapristi vepamba yaTENZI wehondo nehondo navaporofita kuti, “Ndinofanira here kuchema nhamo kana kutsanya mumwedzi wechishanu sezvandanga ndichingoita kwamakore namakore?” Shoko raTENZI wehondo nehondo rakazouya kwandiri richiti, “Taura kuvanhu vose zvavo venyika iyi uye nokuvapristi uti: ‘Heya pamaitsanya muchichema nhamo mumwedzi wechishanu newechinomwe kwamakore makumi manomwe maitsanyira ini here? Kunyange napaya pamunodya napamunonwawo, handiti munenge muchitozvidyira nokuzvinwirawo zvenyu iyemi pachenyu?’ ” Jerusaremu payakange igere vanhu, zvinhu zvichibudirira zvakanaka pamwechete nemisha yayo yakaikomberedza uyewo iwo maodzanyemba nenyika yokumanhika pakwakanga kugere vanhu iwaya haasiri iwo mashoko aiparidzwa navaporofita vokutanga here? Shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya richiti, “Zvanzi naTENZI wehondo nehondo tongai zviri pachokwadi chaipo muchiitirana mwoyo wakanaka muchinzwirana tsitsi hama nehama. Regai kuonesa nhamo chirikadzi nenherera nomuuyi kunyange murombo. Uye ngaparege kuva nomunhu anorongera mumwe wake mano akaipa mumwoyo. “Asi ivo vakaramba kunzwa, vakagwikura mapfudzi vachityorera zvimiti munzeve dzavo kuti varege kunzwa. Vakaomesa mwoyo chaizvo vachiti vangadaro vakazonzwa mutemo namashoko akatumidzirwa naTENZI wehondo nehondo naMweya wake nomuromo wavaporofita vokutanga. Ndokusaka TENZI wehondo nehondo akashatirwa zvinotyisa kwazvo. Sokudaidza kwandakaita ivo vakaramba kunzwa, ndokudaidzawo kwavakazoita ini ndigokaregawo kuvateerera, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Uye ndakavati mwarara nechamupupuri chaicho mukati memarudzi ose avakanga vasingazivi, nezvo nyika yavakasiya yakava renje zvaro zvokushaya kana nomunhu aifamba — fambamo; saizvozvo, nyika yakanaka yaitwa renje zvino.” Shoko raTENZI wehondo nehondo rakauya kwandiri rikati, “Zvanzi naTENZI wehondo nehondo ndine shanje neguta reZioni, shanje chaiyo huru uye kuti ndiri kuriitira shanje ndakaviruka nehasha dzakakura kwazvo. Zvanzi naTENZI ndichadzokera kuZioni ndigoita musha mukati meJerusaremu. Jerusaremu richazodaidzwa kunzi guta rakatendeseka uye kunzi Gomo raTENZI wehondo nehondo, gomo rinoera. Zvanzi naTENZI wehondo nehondo harahwa nechembere dzichatoti zvadzo mboya mboya kugara munhandare dzeJerusaremu mumwe nomumwe aine mudonzvo muruoko pari pamusana pokunyatsokwegura. Migwagwawo yeguta ichange yakazaridzana vakomana navasikana vachitamba havo mumigwagwa mayo. “TENZI wehondo nehondo ari kuti kana zvikashamisa zvazvo chitsama cheverudzi urwu chakasara mumazuva ano aya ndipo pazvingandishamisewo ini here, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo? Zvanzi naTENZI wehondo nehondo regai zvenyu muone, ndichanunura vanhu vangu ndivabvise kunyika yokumabvazuva nokunyika yokumadokero ndichivadzosera kuzogara mukati meJerusaremu. Ivo vachava vanhu vangu, ini ndiri Mwari wavo pachokwadi uye nomukururama. “Zvanzi naTENZI wehondo nehondo simbisai maoko imi muri kunzwa mazwi aya anobva mumiromo wavaporofita mazuva ano aya kubvira musi wakavakwa ugaro hwemba yaTENZI wehondo nehondo kuiitira kuti Temberi ivakwe. Ndinodaro nokuti mazuva iwayo asati asvika kwakanga kusina chaitambiriswa munhu kana chaitambirisirwa chipfuwo. Kunyange mukufamba makanga musina kuchengetedzeka kwakanaka kumuvengi nokuti ndakanga ndaita kuti vanhu vavengane. Asi parizvino handichaitira chitsama chavanhu ava chakasara sapamazuva akare aya ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo nokuti kuchadyarwa rugare, mugirepisi uchabereka muchero wawo ivhu richipa zvinobva mariri, matenga achadonhesawo dova rawo. Ini ndichaita kuti zvose izvozvo zvive zvevechitsama chakasara chavanhu ava. Uye sezvo imi manga mava chitukiso mukati memarudzi imi vemba yokwaJudha nemi vemba yokwaIsiraeri, saka ini ndichakununurai muve chikomborero. Regai kutya, simbisai maoko.” Chiripo ndechokuti zvanzi naTENZI wehondo nehondo, “Sokuronga kwandakamboita kukupinzai nhamo paya pandakatsamwiswa namadzibaba enyu ndikarega kudzora mwoyo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo saizvozvo ndarongawo mazuva ano kuti ndichiitira Jerusaremu zvakanaka nemba yokwaJudha. Regai kutya! Hezvinoi zvamunofanira kuita: “Tauriranai chokwadi. Mumatare enyu, tongai zviri pachokwadi muite zvinouyisa rugare. “Kandai pasi zvokurongerana mano akaipa mumwoyo, murege kuda mhiko dzenhema nokuti zvose izvozvi ini ndinozvivenga. Ndizvo zviri kutaura TENZI.” Shoko raTENZI wehondo nehondo rakauya kwandiri richiti, “Zvanzi naTENZI wehondo nehondo kutsanya kwapamwedzi wechina, nokutsanya kwapamwedzi wechishanu, nokutsanya kwewechinomwe uye nokutsanya kwewechigumi kunofanira kuva mwaka yokupembera kufara namazuva makuru okupembera kune vemba yokwaJudha, naizvozvo idai chokwadi norugare.” Zvanzi naTENZI wehondo nehondo, “Kuchati kwouya mamwe marudzi vagari vamaguta mazhinji chaivo. Vagari verimwe guta vachaenda kune rimwe racho vachiti, ‘Ngatibvei tatoenda kundoteterera kuti tiitirwe tsiye nyoro naTENZI tindotsvaka TENZI wehondo nehondo, ini ndava kuenda!’ Marudzi mazhinji nendudzi dzakasimba dzichauya kuzotsvaga TENZI wehondo nehondo muJerusaremu vachizoteterera kuti TENZI avanzwirewo ngoni. Zvanzi naTENZI wehondo nehondo namazuva iwayo gumi ravanhu vokumarudzi endimi dzose richabata muJudha hanzu yake richiti ngatiendei nemi nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.” Hechinoi chirevo. Shoko raTENZI rakanangana nenyika yeHadhiraki uye richasvikawo kuDhamasikusi nokuti maziso avanhu anototarisira kuna TENZI sezvinongoitawo madzinza ose eIsiraeri uyewo Hamati inoganhurana nayo neTire neSidhoni kunyange zvazvo vane ungwaru. Guta reTire rakazvivakira nhare dzaro dzokuzvidzivirira kuhondo rikaunganidzawo sirivha sevhu uye nendarama samatope omumugwagwa. Asi TENZI acharikatanura zvinhu zvaro zvarinazvo agoti kupukupu kukanda upfumi hwaro mugungwa. Tire icharoromeswa nomoto. Ashikeroni ichazviona igodedera kutya, Gazawo ichamonyoroka ichirwadzwa kwazvo nazvo, pamwechetewo neEkironi nokuti zvayaitarisira zvakangaidzika. MuGaza muchasara musisina mambo Ashikeroni richasara risisina vageremo. Rudzi rwavana vomusango ndoruchatozoita musha muAshidhodhi uye ndichapedza kuzvitutumadza kweFirisitia. Ndichaibvisa nyama ine ropa mukanwa mayo nezvakan'ora zvayo mumazino mayo naiyowo ichava chitsama chavanhu vakasara chaMwari wedu. Ichavawo seimwe imba yomudzinza rokwaJudha Ekironi ichaita hwevanhu vokuJebhusi. Ndipo pandichaita musasa pamba pangu somuchengetedzi kuti parege kuwana munhu anodzengererapo. Hakuna mudzvinyiriri achazombovakurira nokuti ndazvionera zvino namaziso angu aya. Fara zvikuru kwazvo iwe mukunda, guta reZioni. Pururudza kwazvo kwazvo iwe mukunda, guta reJerusaremu. Hoyo mambo wako anouya kwauri! Ahwinha, mukundi chaiye, anozvirereka zvake nokutasva dhongi, chigondora chemwana wedhongi. “Ndichaparadza ngoro yehondo mudzinza rokwaEfuremu nebhizawo rehondo muJerusaremu uye uta hwehondo huchaparadzwawo. Iye achatiwo kumarudzi ngakuve norugare, umambo hwake huchatonga kubvira kune rimwe gungwa kusvikira kune rimwewo gungwa nokubvirawo kuRwizi kudzamara kwakaperera nyika chaiko.” “Kana zviri zvakowo iwe, ndichiitira hangu ropa rechitenderano changu newe, ndichasunungura nhapwa dzokwako mumugodhi usina mvura vaende zvavo. Dzokerai zvenyu kunhare dzenyu dzokuzvidzivirira muhondo, imi nhapwa dzechitarisiro! Nhasi uno ndinoti ndichakudzoserai zvakapetwa ruviri nokuti ndakakunga vokwaJudha souta hwangu, vokwaEfuremu ndikavaita museve wacho. Iwe guta reZioni ndichavhevhetesa vanakomana vako pamusoro pavanakomana vako iwe nyika yeGirisi, uye ndichakuvheyesa sebakatwa romurwi wehondo.” TENZI ndipo paachaonekwa nechapamusoro pavo, misevewo yake iri mheni zvayo kuenda. TENZI Mwari acharidza hwamanda agoenda achifamba hake nomuchamupupuri chamaodzanyemba. TENZI wehondo nehondo achavadzivirira, vachazhanya nokutsokodzera pasi varwi vezvimviriri zvamatombo. Ropa ravo vacharinwa sewaini kuzara somundiro, zvokutotota sapamakona eatari. Nomusi iwoyo TENZI, Mwari wavo achavanunura nokuti ivowo, idanga rehwai dzavanhu vake. Chiripo ndechokuti ivo sezvishongo zvapangundu vachapenya munyika make. Eeka! Hamungati kunaka ikoko, i — i zvakazonaka. Hakuzi kuyevedza kwakadaro, haiwaiwa zvinoyevedza! Mbesanwa dzichaita kuti zvinhu zvinakire majaya uye waini itsva ichiitira zvakanaka vasikana. Kumbirai TENZI mvura munguva yemvura yomunhuruka, kuna TENZI anogadzira dutu ramakore emvura. Ndiye anopa vanhu mvura inonaya achipawo kumunhu wose zvinhu zvinomera mumunda make. Chandinodariro ndechokuti zvifananidzo zvokunamata zvinongowawata nhema zvadzo, uye vashoperi vanoona zvamanyepo, varotiwo vachirotomoka zvenhema vachinyaradza vanhu zvokungovabata kumeso chete. Nezvo vanhu vanodzungaira sehwai vanotambura nokushaya mufudzi. Hasha dzangu dzavirukira kwazvo vafudzi ivavo, saka ndichapa vatungamiriri shamhu yokuranga, nokuti TENZI wehondo nehondo ane hanya nedanga rehwai dzake iyo imba yokwaJudha. Uye achavaita samabhiza ake akanakisisa okurwisa nawo kuhondo. Mavari ndimo muchabva ibwe rapakona, mavari muchibuda hoko yetendhe, mavari muchabvawo uta hwehondo, mavari ndimo muchamuka mutongi wose zvake. Vose pamwechete vachava magamba chaiwo avarume vehondo, vanotsokodzera muvengi mumatope omumigwagwa. Vacharwa hondo nokuti TENZI anavo. Vachapazamisa musoro vatasvi vamabhiza. Ini ndichasimbisa imba yokwaJudha ndigoponesa imba yokwaJosefi. Ndichavadzosera kuno nokuti ndinovanzwira ngoni. Vachaita sokunge ndisina kumbovaramba nokuti ini ndini TENZI, Mwari wavo uye ndichavapindura. Ipapo vokwaEfuremu vachava segamba rokurwa hondo mumwoyo vachifara savanhu vanwa waini. Vana vavo vachazvionawo vakafara zvikuru, mwoyo yavo ichafara muna TENZI. Ndichavaridzira mheterwa ndivaunganidzemo nokuti ndakavanunura. Uye vachawanda sezvavaiva kare. Kunyange zvazvo ndakanga ndavati mwarara mukati memarudzi asi kunyika dzokure ikoko vachandirangarira, uyewo vachararama pamwechete navana vavo vagozodzokazve kuno. Ndichavadzosera kumusha ndichivabvisa kunyika yeIjipiti, ndichavakokorodza kuAsiria ndigovaunza kudunhu rokwaGireadhi nokuRebhanoni kusvikira pasisina pokugara. Vachadimura nomugungwa reIjipiti, mafungu egungwa achange akamiswa, hwenje hwese hwemvura yaNairi huchange hwati gwa kuoma. Kuzvitutumadza kweAsiria kuchaderedzwa pasi pasi chaipo, uye tsvimbo youmambo hweIjipiti ichabva. Ndichavasimbaradza muna TENZI vachafamba muzita rake. Ndizvo zviri kutaura TENZI. Zurura misuo yako iwe Rebhanoni moto uroromese miti yako yemisidhari. Iwe muti womusaipurasi ungudza nokuti miti yemisidhari yawa nokuti miti ine mbiri yaparara. Hwihwidzai kuchema imi mioku yeBhashani nokuti sango dema rarizhaniswa. Terera unzwe mhere yavafudzi nokuti mbiri yavo yaparadzwa. Heko kudzvova kweshumba nokuti jokotywa resango, sango raJorodhani raparara. Zvanzi naTENZI, Mwari wangu, “Iva zvako mufudzi wedanga rezvipfuwo zvakatemerwa kuuraiwa. Vanenge vadzitenga vanodziuraya voenda havo vasina kurangwa, uye vanodzitengesa vanotozviti, ‘TENZI ngaarumbidzwe!’ Ndazopfuma ini, uye vafudzi vavo chaivoivo havana tsitsi navo. Ndinodaro nokuti handisisina tsitsi navagari venyika iyi, ndizvo zviri kutaura TENZI. Rega zvako uone! Ndichaitisa vanhu kuti mumwe nomumwe awire mumaoko omufudzi wake, mumwe nomumwe achiwira mumaoko amambo wake. Vachapwanya nyika, handina wandinonunura mumaoko mavo.” Saizvozvowo ini ndakabva ndava mufudzi wedanga rezvipfuwo zvakatemerwa kuuraiwa navanoita mhindu dzokutengeserana makwai. Ipapo ndakatora tsvimbo mbiri, imwe ndakaitumidza zita rokuti, “Nyasha.” Imwewo ndikaipa zita rokuti, “Kuwirirana.” Ndakafudza hwai dzacho. Nomwedzi mumwechete chaiwo, ndakaparadza vafudzi vatatu. Asi ndakazodzamara ndotsamwa kwazvo nadzo, idzo dzaiita daka neni. Nokudaro ndakati handichava mufudzi wenyuzve. “Chafa chafa, chaparara chapararawo, zvinenge zvasara regai zvidyane kunyanya zvazvo.” Ndakatora tsvimbo yangu iya inonzi “Nyasha,” ndikaityora kuri kutotyora chibvumirano chandakanga ndaitirana namarudzi avanhu ose zvawo. Nezvo chibvumirano chacho chakabvawo chadzimwa pazuva iroro. Izvozvo vaya vemhindu dzokutengeserana makwai vakanga vakaisa maziso pandiri vakabva vazviziva kuti iroro rakanga riri shoko raTENZI. Ini ndokuti kwavari, “Kana maona zvakanaka nditambiriseiwo zvenyu mubayiro wangu, asi kana zvisina uchengetei henyu.” Saka vakayera makumi matatu emari yamashekeri yesirivha. TENZI akandiudza kuti, “Iise munochengeterwa upfumi,” iwo mazimari acho omubayiro wavakanditambirisa. Saizvozvo ini ndakatora makumi matatu emari yamashekeri yesirivha ndikaiisa munochengeterwa upfumi mumba yaTENZI. Ndakatyorawo tsvimbo yangu yechipiri iya inonzi, Kuwirirana, ndichitoparadza ukama huri pakati pevokwaJudha nevokwaIsiraeri. TENZI akabva ati kwandiri, “Chimbotorazve iye zvino zvombo zvomufudzi asina maturo. Nokuti, chinzwa, ini ndava kumutsa munyika iyi mufudzi asina hanya nedzinoparara, kana kutsvakawo dzinorasika, kunyange kurapa dzakakuvara, kana kupa chokudya dzakagwinya. Asi kuti anotodya dzakakora, achikwachura mazondo adzo. “Ane nhamo, mufudzi wangu, mufudzi asina maturo anotiza danga rezvipfuwo. Bakatwa ngaribaye ruoko rwake, neziso rake rorudyi. Ruoko rwake ngarubva rwanyatsoti rukutu. Ziso rake rorudyi ribve ranyatsopofomara.” Shoko raTENZI rinotaura nezveIsiraeri kuti, zvanzi naTENZI, iye akawarira matenga akaita nyika, iye akasika mweya uri mumunhu anoti, “Chionai, ini ndava kuzoita kuti Jerusaremu rive mukombe unotenderedza musoro kuvanhu vari munharaunda yaro. Ichavawo nhamo yawira vokwaJudha panokombwa Jerusaremu ipapo. Zvichazoitika kuti pazuva iroro ndichaita kuti Jerusaremu ringe dombo rinorema kuvanhu vose. Vose vanorisimudza vachakuvara zvakanyanya. Asi marudzi ose apanyika achauya kuzorikomberana. Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaura TENZI, ndichapandutsa bhiza riri rose nokutya, vatasvi vawo ndichivapengesa. Ndichatarira vemba yokwaJudha asi mabhiza avamarudzi ndichaapofomadza. Mhuri dzokwaJudha ndipo padzichazozviti inga vagari veJerusaremu simba ravo riri muna TENZI, Mwari wavo. “Panguva iyoyo ndichaita kuti mhuri dzokwaJudha dzinge choto zvacho chomoto musango, sezhenje romoto mumashanga. Vacharakatisa vanhu uku nokuku nharaunda yose. Izvozvo Jerusaremu, vagari varo rinenge richinavo, imomu muJerusaremu. “TENZI achatanga kununura mhuri dzokwaJudha kuitira kuti mbiri yemba yokwaDhavhidhi nembiri yavagari vomuJerusaremu irege kupfuura yedzimwewo mhuri dzose dzokwaJudha. Panguva iyoyo TENZI achadzivirira vagari veJerusaremu zvokuti kunyange ndonda chaidzo pakati pavo, nguva iyoyo, dzichaita saDhavhidhi, imba yokwaDhavhidhi ichinge Mwari, sokunge mutumwa waTENZI kuvatungamirira. Zvichaitika kuti panguva iyoyo chandinenge ndichitotsvaka kuparadza marudzi ose anenge auya kuzorwisa Jerusaremu. “Ndichanyatsopinza muimba yaDhavhidhi nomuvagari veJerusaremu mweya wetsitsi nowokunamata zvokuti vachatarisa kwaari iye wavanenge vabaya. Vachamuchema sokuchema kunoita munhu anochema mwana anga achingova mumwechete oga, vachamuchema zvinosiririsa sokuchema kunoita munhu dangwe rechikomana. Pazuva iroro kuchema kwavo kuchanyanya sokuchemwa kwakaitwa Hadhadhirimoni mubani reMeghidho. Nyika ichachema, mhuri nemhuri ichichema iri payo, zvichiti: “Mhuri yokwaDhavhidhi iri payo madzimai avo ari pachavo voga. Mhuri yemba yokwaNatani iri payowo, madzimai avo vari pachawo. Mhuri yemba yokwaRevhi iri payo, madzimai avo ari pachavo. Mhuriwo yokwaShimei iri payo, madzimai avo ari pachavo. Nedzimwewo mhuri dzose dzinenge dzasara dzichiti iyiwo payo iyiwo payo madzimai avowo ari kwavo oga.” Panguva iyoyo imba yaDhavhidhi navagari veJerusaremu vachazarurirwa chisipiti chokuvashambidza zvitadzo zvavo nokun'ora kwavo. “Pazuva iroro,” ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, “Ndichaparadza munyika zvifananidzo zvokunamata zvokuti hazvizombofa zvakarangarirwazve. Uye ndichabvisa munyika vaporofita nemweya yakaipa. Pakabudawo munhu ava kuti muporofita, baba naamai vake vokumubereka chaivo vachamuti haufaniri kurarama nokuti uri kutaura nhema muzita raTENZI. Baba naamai vakamubereka chaivo vachamubaya kana akaporofita. Pazuva iroro muporofita ari wose achanyara nezvaanooneswa paanenge achiporofita. Haazopfeki zijari rine mvere rokunyengedza naro vanhu, asi anenge ava kutoti handisi muporofita ini, ndiri murimiwo zvangu nokuti kubvira pauduku hwangu changa chiri changu ivhu. Kana munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda ari pamusana pako ndeei?’ Iye achati, ‘Ndakaawana mumba meshamwari dzangu.’ ” TENZI wehondo nehondo anoti, “Muka iwe bakatwa umukire mufudzi wangu umukire akabatana neni, rova mufudzi, hwai dzipararire. Hwayana dzacho ndichadzisimudzira shamhu. Zvanzi naTENZI munyika yose zvayo vaviri pavatatu vacharakatiswa kufa. Mumwechete pavatatu ndiye achararama. Chikamu chavanhu chechitatu ichocho ndichachipinza mumoto, vanhu ivava ndichavachenesa sesirivha. Ndichavaedza sokuedzwa kunoitwa ndarama vachadana nezita rangu; ini ndichavapindura. Ndichiti, ‘Ava vanhu vangu.’ Ivowo vachati, ‘TENZI ndiye Mwari wedu.’ ” Chinzwa zuva raTENZI riri kuuya rokuti zvinhu zvinenge zvapambwa zvichagovanwa makatarisa. Chiripo ndechokuti ndichakokorodza marudzi ose kuzorwisa Jerusaremu. Jerusaremu richakurirwa, dzimba dzigopambwa, vakadzi vachibhinywa. Hafu yeguta irori ichaendwa nayo kuutapwa. Vanhu vanenge vasara havazoparara muguta. TENZI ndipo paachandorwisa marudzi iwayo sokurwisa kwaanoita pazuva rehondo. Pamusi iwoyo iye achanoti dzi kumira kugomo reMuorivhi riri pakatarisana neJerusaremu kumabvazuva. Gomo reMuorivhi richakamuraniswawo napakati muzvikamu zviviri kubva kumabvazuva zvichienda kumadokero richakamuraniswa nebani guru. Chimwe chikamu chichaenda kuchamhembe chimwe chikamu chichienda kumaodzanyemba. Bani iroro rinenge riri pakati pezvikomo richavharwa. Richavharwa kusvika kuJasori. Richavharwa sokuvharwa kwarakaitwa nokundengendeka kwenguva yaUziya mambo wokwaJudha. TENZI Mwari wangu ndipo paachauya pamwechete navarurami vose. Pazuva iroro panenge pasina chiedza, pasina kutonhora kana chando richange riri zuva riri roga, risina zvokuti masikati kana kuti usiku. Izvi zvinozivikanwa naTENZI. Kana kwasvika nguva yamanheru kunenge kune chiedza. Pazuva iroro mvura mhenyu ichayerera ichibva muJerusaremu imwe ichayerera kumabvazuva imwe ichiyerera kumadokero. Icharamba ichingodaro zhizha napachando. TENZI achava mambo wapasi pose. Pazuva iroro TENZI achave ndiye oga; zita rake richingova ndiro rimwechetero. Nyika yose ichapindutswa kuva bani kubvira kuGebha kusvika kuRimoni kumaodzanyemba eJerusaremu. Asi guta reJerusaremu richaramba rakangoti kangarara, richibvira kusuo guru rokwaBhenjamini kusvika kusuo guru rakare riya, zvichinosvikawo kusuo guru repakona; zvichibvawo panharire yokwaHananeri kusvika kuguvi ramambo rewaini. Richange rakagarwa navanhu risisina zvokutsaurirwa kuparadzwa. Jerusaremu richagara murunyararo. Iri ndiro denda richapiwa naTENZI kuvanhu vanozoita hondo neJerusaremu: Nyama yavo ichaora ivo vachiri kufamba. Maziso avo achaora mumahobi avo uye rurimi rwavo ruchaora mukanwa mavo. Panguva iyoyo TENZI achapazamisa vanhu musoro zvokuti munhu achangoti ruoko rwomumwe ndu — u mumwewo iyeyo ruokowo runenge rwatova mudenga kare rwokurwisana naye. Judha chaiyo icharwisana neJerusaremu. Upfumi hwamarudzi akatenderedza ose huchaunganidzwa hunoti ndarama nesirivha namatutu — matutu ezvokupfeka. Denda rimwechetero richawirawo mabhiza namanyurusi nengamera namadhongi nedzimwewo mhuka dzingange dziri pamatendhe iwayo. Ipapo vanenge vasara pamarudzi ose anouya kuzorwisa Jerusaremu, munhu wose achaenda kuJerusaremu kundonamata Mambo, TENZI wehondo nehondo uye kuzochengeta mazuva makuru amatumba. Kana imwe mhuri yapanyika pano ikarega kuenda kuJerusaremu kundonamata Mambo TENZI wehondo nehondo, hainairwe nemvura. Kana mhuri yeIjipiti isina kuenda kundoshanya ikoko haichawirwi nenhamo inopiwa naTENZI mamwe marudzi anorega kuenda kundochengeta mazuva makuru amatumba. Ichochi ndicho chichava chirango cheIjipiti uyewo chirango chamarudzi ose asingaendi kundochengeta mazuva makuru amatumba. Panguva iyoyo madare anorira amabhiza anenge akanyorwa kunzi, “Zvinoera zvaTENZI.” Poto dzomumba maTENZI dzichange dzakangoita sendiro dziri pamberi peatari. MuJerusaremu nomaJudha, poto iri yose zvayo inenge iri inoera yaTENZI wehondo nehondo. Uku kunenge kuri kuitira kuti vanoda kupira chibayiro vanogona kuuya vachidzitora vachibikira nyama yechibayiro madziri. Hapazofanira kuva nomunhu anoita mhindu dzokutengesa mumba yaTENZI wehondo nehondo pazuva iroro. Chirevo: Shoko raTenzi kuvaIsiraeri raakataura nomuromo waMaraki. “Ndakakudai.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Asi imi munoti, “Makatida nomutowo upi? Handiti Esau mukoma waJakobho here?” Ndizvo zviri kubvunzwa naTenzi, “Asi wandakada ndiJakobho, asi Esau ndakamuramba. Nyika yake yamakomo ndakaiita renje zvaro ndikasiyira nhaka yake kumakava okugwenga'ku.” Dai kuri kuti Edhomu inoti, “Takaputswa asi tichavaka hedu matongo acho.” Tenzi wehondo nehondo ari kuti, “Kuvaka, vangavake havo asi ini ndichavapaza kudzamara vava kunzi, ‘Nyika youipi yavanhu vakagara vakashatirirwa naTenzi narinhi wose.’ ” Muchatozozvionerawo nemeso enyu uye muchatozoti, “Tenzi mukuru ikoko kure nenyika yeIsiraeri.” Inga wani mwanakomana anoremekedza baba vake, muranda anoremekedza vatenzi vake. “Zvino kana ini ndiri baba, kuremekedzwa kwangu kuripi? Kana ini ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripi? Ndizvo zviri kureva TENZI wehondo nehondo kwamuri iyemi vapristi munozvidza zita rangu. Munotika imi takazvidza zita renyu sei, nokupira chokudya chakan'ora paatari yangu. Uye munoti takachin'oresa sei, nokufungaka kwenyu kuti tebhuru yaTenzi inogona kushorwa zvayo. Kana imi muchipira sechibayiro mhuka dzakapofomara maziso, hausi huipi here ihwohwo? Ko kana muchipira dzakaremara kana dzine chirwere, hausi huipi here ihwohwo? Endai muzvipe kumutongi wenyu, anofadzwa nemi kana kukuitiraiwo zvakanaka here?” Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Zvino chikumbirai Mwari tione kuti atiitire tsiye nyoro agotinzwirawo ngoni. Imi mune chipo chakadaro mumaoko menyu angakuitirei tsiye nyoro here? Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. “Dai zvazvo pane mumwe pakati penyu anopfiga zvake misuo kuti imi murege kubatidza moto paatari yangu zvisina maturo! Handichakufarirai. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo uye handichambogamuchira mupiro wamunopira imi namaoko enyu nokuti kubvira kunobuda zuva kudzamara kwarinodokera zita rangu iguru pakati pemarudzi uye munzvimbo dzose rusenzi runopirwa kuzita rangu pamwechete nemipiro mitsvene nokuti zita rangu, izita guru mukati memarudzi. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Asi imi munorin'oresa muchiti teburu yaTenzi yakasvibiswa muchipira zvenyu pairi chokudya chakazvidzika. Munototi zvenyu, ‘Haiwaiwa zvinonetsa izvi,’ izvozvo muchitondifinyamisira mhuno imi. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Munounzaka imi zvinhu zvakatorerwa vanhu nechisimba kana zvakaremara kana zvinorwara ndozvamunouya nazvo somupiro wenyu? Ini ndigamuchire zvakadaro kwamuri here ini? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ngaawirwe norushambwa munyengedzi ane chipfuwo chikono mudanga make chaanoti iye atsidza kuzochipira pidigu opira kuna Tenzi chibayiro chinoshoreka nokuti ini ndiri Mambo mukuru ini. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo, uye zita rangu rinotyiwa mukati memarudzi.” “Zvino imi vapristi mutemo uyu mutemo wenyu. Kana mukarega kuteerera kana kurega henyu kuuisa mumwoyo kuti mupe mbiri kuzita rangu ndizvo zviri kutaura Tenzi, inini ndichati muwirwe nejambwa. Ndichati zvikomborero zvenyu zvive jambwa nazvinowo ndatozviti zvive jambwa nokuti hamuuise mumwoyo. Chinzwai ndichati zvibereko zvenyu zviwirwe norushambwa, ndichakuzora — zorai uso nendove, ndove yemipiro yenyu uye ndigokubvisai kwandiri. Ndopamuchazoziva kuti ndakutemerai murao iwoyu kuitira kuti chitenderano changu nevokwaRevhi chibate. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. “Chitenderano changu chandakaita naye chakanga chiri chitenderano choupenyu norugare. Ndakamupa izvozvo kuitira kuti agotyawo, saizvozvowo ainditya achidedera kwazvo zita rangu. “Rudzidziso rwechokwadi ruri pamuromo pake, uipi hahwaiwanikwa pamuromo pake. Akafamba neni mukuwadzana nomukururama. Akadzora vazhinji kuhuipi. Ndinodaro nokuti miromo yomupristi inofanira kuchengetedza ruzivo. Vanhu vanotsvaka rudzidziso kumuromo wake nokuti iye inhumwa yaTENZI wehondo nehondo. “Asi imimi makatsauka mugwara, makaitisa kuti vakawanda vapingiridzwe nechidzidziso chenyu. Makan'oresa chitenderano chokwaRevhi ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Ndokusaka ini ndavakuitawo kuti imi muve vanhu vakashoreka vokupedzesera zvavo kuvanhu vose sokuregawo kuchengeta nzira dzangu kwamakaita, makatoita zvenyu rusaruro pane zvemitemo.” Handiti tina baba mumwechete here? Hatina kusikwa naMwari mumwechete here? Nemhaka yei tichirega kuitirana zvakatendeka tichin'oresa chitenderano chemadzibaba edu kudai. VokwaJudha havana kutendeka, muIsiraeri nomuJerusaremu makaitwa zvinhu zvisingadiwi naMwari. Chikonzero ndechokuti vokwaJudha vakan'oresa Nzvimbo Inoera yaTenzi yapamwoyo, vachitoroora zvavo vanasikana vokuvamwari vasiri ivo. Dai TENZI angoiti munhu iyeyo asawane uchapupu kana kurevererwa mumisasa yematendhe yovokwaJakobho paanouya nomupiro kuna Tenzi wehondo nehondo. Zvimwewo zvamunoita ndezvizvi: munochakatisa atari yaTenzi nemisodzi nokuhwihwidza kuchema nokuungudza nokuti haasisina hanya nomupiro kana kuugamuchira nomufaro mumaoko enyu. Munobvunza kuti, “Ko chaanoregerera chii?” Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi ndiye chapupu chinopupurira chitenderano chako iwe nomudzimai akakubvisa mugota wausina kutendeka kwaari iye ari mumwe wako uyezve ari mudzimai wako wechitenderano. Haasiri iye here akavaita chinhu chimwechete akaramba angotichengetera mweya woupenyu? Shungu dzake ipapo ndedzokuitei chaizvo? Handiti kuti pamuke rudzi runotya Mwari? Saka chichenjererai kuti munhu arege kuva asina kutendeseka kumudzimai wake akamubvisa mugota, nokuti, “Ndinovenga kurambana.” Ndizvo zvinotaura Tenzi, Mwari weIsiraeri, uye munhu anopfeka utsinye sehembe. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Naizvozvo imi ngwarirai mweya yenyu murege kuva vanyengedzi. Mapfuvisa Tenzi nezvamunotaura. Asi imi munoti, “Tamupfuvisa seiko chaizvo?” Nokutaura muchiti, “Vose vanoita zvakaipa ndivo vakanaka pana Tenzi uye ndivo vaanofarira ivavo.” Kana nokubvunza kuti, “Ko Mwari woruenzaniso aripi?” Chinzwai, “Ndichatuma nhumwa yangu kuzofanondigadzirira nzira, Tenzi wamunodai kutsvaka achayerekana auya kuTemberi yake, nhumwa iyoyo yechitenderano yamunofarira iri kuuya,” ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Asi ndianiko angatirire zuva rokuuya kwake uye ndiani angapamire kana iye auya? Ndinodaro nokuti akaita somoto womunyungurutsi woutare kana kuti sesipo yomusuki. Achagara pasi somunyungurutsi uye somuchenesi wesirivha achachenesa vanakomana vokwaRevhi agovachenesa sendarama nesirivha kudzamara vava kupira mipiro yakarurama kuna Tenzi. Mupiro wokwaJudha neJerusaremu ndopauchazofadza Tenzi sezvazvaiita pasichigare sezvawaiita mumakore akapfuura. “Ndopandichakuvingai kuzokugadzai dare ndiri chapupu chinokurumidza kupupura chakanangana navanhu vanoromba mushonga nemhombwe navanopika zvemanyepo uye navanhu vanobata zvakaipa mushandi wavo pane zvavanomutambirisa nokuonesa nhamo chirikadzi nenherera uye navanhu vanosaidzira muuyi kure navo, vasinganditye zvavo. Ndizvo zvinotaura Tenzi wehondo nehondo. “Chiripo ndechokuti ini Tenzi handisanduke — sanduke naizvozvo imiwo vanakomana vokwaJakobho hamuna kutsakatika. Kubvira mumazuva amadzibaba enyu, manga muchingokanda pasi mirao yangu muchirega kuichengeta. Chidzokerai kwandiri, ini ndichadzokerawo kwamuri, ndozvinotaura Tenzi wehondo nehondo. Asi imi munoti, ‘Ko todzokera sei?’ Nhaimi, iye munhu angabire Mwari here? Asi imi munondibiraka imi. Asi munoti tinokubirai seiko? Imo muzvegumi zvenyu nomumipiro yenyu. Makapinda jambwa nokuti muri kundibira, iyemi rudzi rwenyu rwose zvarwo. Uyai nezvegumi zvakakwana mumba mokuchengetera zvinhu kuitira kuti mumba mangu muve nechokudya nezvo mundiedze henyu ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo muone kuti ini ndinorega here kukuzarurirai mahwindho okudenga ndichikuwodzvorerai mafashafasha emakomborero. Ndichakumisirai mharadzi kuti irege kuparadza michero yevhu renyu uyewo mugirepisi wenyu, muminda hauzotadza kubereka. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Ipapo marudzi ose avanhu achakutii muri vanhu vakakomborerwa nokuti muchange muri munyika yorufaro. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. “Munotaura zvakaomarara kwandiri,” ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Asi ndipo pamunoti mi, ‘Ko takataura zvakaomarara sei?’ Munoti, ‘Hazvina namaturo ose kushandira Mwari. Zvinotibatsireiko kuteerera mirao uye kufamba takazvirereka kuna Tenzi wehondo nehondo wacho? Asi zvino zvatiri kuona ndezvokuti vanozvikudza ndivo vakatokomborerwa zvavo. Vaiti vezvakaipa havasi kungobudirira chete asi kutoti kunyange vakaedza zvavo Mwari vanopunyukawo.’ ” Vanhu vaitya Tenzi vakataurirana. Tenzi akateerera akavanzwa. Izvozvo bhuku roKuyeuchidza ravanhu vanotya Tenzi navanhu vanofunga nezvezita rake rakanyorwa mberi kwake. “Ivavo vachava vanhu vangu,” ndizvo zviri kureva Tenzi wehondo nehondo. “Vachava upfumi hwangu hwakakosha kwazvo pazuva randichazoita zvandinoita. Uye ndichavachengetedza sokuchengetedza kunoita munhu mwana wake mukomana anomushandira. Ipapozve ndipo pamuchazosiyanisa mutsauko uri pakati pomururami nomuipi napakatiwo pomunhu anoshandira Mwari neasingamushandire.” “Chinzwai, hero zuva rinouya, “Zuva rinopisa sechoto. Ipapo vanhu vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava zvidzitsi zvazvo zvemashanga. Zuva iroro richauya racho richavaroromesa zvokuti harivasiyire mudzi kana bazi zvaro. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Asi imi munotya zita rangu muchabudirwa nezuva roururami, zuva rine kuporesa mumapapiro maro. Muchaita chomurambamhuru semhuru dzinobuda muchirugu. Izvozvo muchatsokodzera pasi vakaipa nokuti vachava madota zvawo pasi petsoka dzenyu pazuva racho randichaita zvandichaita. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. “Rangarirai mutemo womuranda wangu Mosesi murao uya nezvirevo zvandakamutemera kuHorebhu zvinosunga Isiraeri yose zvirevo nemirawo. “Chinzwai, ndichakutumirai muporofita Eriya, zuva guru raTenzi rinotyisa iroro risati rasvika. Iye achapindutsa mwoyo yamadzibaba kuti vanzwanane navana vavo uyewo kupindutsa mwoyo yavana kuitira kuti vanzwanane namadzibaba avo; nokuti ndingadaro ndikauya ndikapinza nyika murushambwa.” Uyu ndiwo mudungwe wamazita amadzitateguru aJesu Kristu Mwanakomana waDhavhidhi mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaki; Isaki akaberekawo Jakobho; Jakobho ndokuberekawo Judha; navanun'una vake. Judha akabereka Faresi naZera; akavabereka naTamari. Faresi akabereka Esiromu; Esiromu akaberekawo Aramu Aramu akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akaberekawo Naashoni; Naashoni ndokuberekawo Sarimoni. Sarimoni ndokuzoberekawo Bhoazi, akamubereka naRahabhu Bhoazi akabereka Obedhi akamuberekawo naRute. Obedhi akazoberekawo Jese Jese akabereka mambo Dhavhidhi Dhavhidhi akabereka Soromoni nomukadzi waUria. Soromoni akabereka Rehobhoamu, Rehobhoamu akaberekawo Abhiya. Abhiya ndokubereka Asafu. Asafu akabereka Jehoshafati; Jehoshafati akaberekawo Joramu; Joramu ndokubereka Uziya; Uziya akabereka Jotamu. Jotamu akabereka Ahazi Ahazi akazoberekawo Hezekia Hezekia akabereka Manase. Manasewo akabereka Amosi. Amosi ndokubereka Josia Josia akabereka Jokonia navakoma navanun'una vake panguva yavakatapwa kuenda kuBhabhironi. Mushure mehutapwa ihwohwo kuBhabhironi, Jokonia akabereka Sheatieri Sheatieri akabereka Zerubhabheri. Zerubhabheri akabereka Abhihudhi; Abhihudhi akaberekawo Eriyakimu; Eriyakimu ndokubereka Azori. Azori akabereka Zadhoki; Zadhokiwo akabereka Akimu; Akimu akaberekawo Erihudhi. Erihudhi akabereka Eriazari Eriazari akaberekawo Matani Matani akabereka Jakobho. Jakobho akabereka Josefi murume waMaria, Maria ndiye akazobereka Jesu anonzi Kristu. Nezvo zvizvarwa zvose kubvira pana Abhurahamu kusvikira pana Dhavhidhi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pana Dhavhidhi kusvikira pautapwa hokuBhabhironi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pahutapwa huya hokuBhabhironi kusvika kuna iye Kristu pane zvizvarwa gumi nezvina. Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu. Amai vake Maria vakanga vachangoroorwa naJosefi. Vasati vagara vose Maria akaonekwa ava napamuviri nesimba raMweya Mutsvene. Murume wake Josefi somunhu akanga akarurama, uye pamusana pokusada kumufumura, akafunga zvokumuramba chinyararire. Paakanga achiri kufunga izvi, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari mukurota achiti, “Josefi mwanakomana waDhavhidhi usatye zvako kutora Maria mukadzi wako nokuti pamuviri paanapo akapaita nesimba raMweya Mutsvene. Achapona Mwanakomana waunofanira kutumidza zita rokuti Jesu nokuti achaponesa vanhu vake kuzvitadzo zvavo.” Zvose izvi zvakaitika kuzadzisa zvakanga zvataurwa naTenzi nomuromo womuporofita uya zvokuti: “Tarirai, mhandara ichava napamuviri ichizobereka mwana mukomana. Zita rake richazonzi Imanueri” (zvinoreva kuti Mwari Anesu.) Josefi paakamuka akaita sokuudzwa kwaakanga aitwa nomutumwa waTenzi. Akatora mudzimai wake asi haana kuzivana naye kusvikira apona mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu. Zvino pakaberekwa Jesu muBheterehemu reJudhea pamazuva amambo Herodhi; havo vazivi vezvenyenyedzi vakabva kumabvazuva, vakauya kuJerusaremu vachiti, “Ari kupiko mwana akaberekwa, mambo wavaJudha? Nokuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva zvino tauya kuzomugwadamira.” Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose. Akaunganidza vapristi vakuru vose nenyanzvi dzavanhu dzomutemo akavabvunzisisa kuti iye Kristu aizoberekererwa kupi. Vakamutaurira kuti, “MuBheterehemu yokuJudhea nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi, “ ‘Iwe Bheterehemu munyika yokwaJudha hausiwe muduku wokupedzesera pakati pavatongi vokwaJudha nokuti mauri muchabva mutongi achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Herodhi akadaidza vangwaru vaya muchivande akanyatsovabvunzisisa kuti nyenyedzi yakaonekwa rinhi. Akavaendesa kuBheterehemu achiti, “Endai mundotsvagisisa mwana iyeyo. Kana mamuwana ndiunzireiwo shoko, kuti neniwo ndiende ndindomugwadamira.” Pavakapedza kunzwa mambo vakasimudzirazve rwendo rwavo. Nyenyedzi iya yavakanga vamboona kumabvazuva ndiye n'a — a pamberi pavo ichivatungamirira kusvikira yandomira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana. Pavakaona nyenyedzi iya vakafara norufaro rukuru kwazvo. Pavakapinda mumba imomo vakaona mwana pamwechete naamai vake Maria. Vakasvikoti pasi gwadagwa vachimuremekedza. Vakasunungura upfumi hwavo vachimupa zvipo zvendarama nerusenzi nemura. Vakati vakayambirwa mukurota kuti vasadzokere nokuna Herodhi, vakadzokera kunyika kwavo neimwe nzira. Vazivi venyenyedzi vaya pavakaenda, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Josefi mukurota akati, “Simuka utore mwana naamai vake utizire kuIjipiti ugare ikoko kusvikira ndakutaurira nokuti Herodhi avakuda kutsvaka mwana kuti amuparadze.” Josefi akasimuka akatora mucheche naamai vake usiku, akaenda kuIjipiti. Akagarako kusvikira Herodhi afa. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvamborehwa naTenzi nomuromo womuporofita zvokuti, “Ndakadaidza Mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.” Herodhi, paakaona kuti akanga abatiswa pasi navazivi vezvenyenyedzi vaya, akaviruka nehasha akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose muBheterehemu nomunharaunda iyoyo yose vakanga vana makore maviri kana makore ari pasi paiwayo maererano nenguva yaakanga ataurirwa navazivi venyenyedzi vaya. Zvakabva zvazadzisa zvakanga zvataurwa nomuporofita Jeremia zvokuti, “Izwi rakanzikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake achiramba kunyaradzwa nokuti vakanga vasisipo.” Herodhi paakafa, hoyo mutumwa waTenzi akazvionesa kuna Josefi mukurota ari muIjipiti, achiti, “Chisimuka utore mwana naamai vake uende kunyika yeIsiraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.” Josefi akasimuka akatora mwana naamai vake akaenda kunyika yeIsiraeri. Asi paakanzwa kuti Akerausi ndiye aitonga muJudhea panzvimbo pababa vake Herodhi, akatya kuendako. Paakayambirwa mukurota akabva aenda kuruwa rweGarirea. Akaenda akandogara muguta rinonzi Nazareti kuti zvakataurwa navaporofita zvizadziswe zvokuti, “Achanzi mugari weNazareti.” Pamazuva iwayo kwakauya Johani Muombeki achiparidza murenje reJudhea achiti, “Pindukai nokuti umambo hwedenga hwaswedera.” Uyu ndiye akanyorwa nezvake nomuporofita Isaya achiti, “Izwi raanodanidzira mugwenga achiti, ‘Gadzirirai Tenzi mugwagwa. Ruramisai nzira dzake.’ ” Johani aipfeka hanzu yakagadzirwa nemvere dzenghamera nebhande reganda muchiuno chake. Chokudya chake chaiva mhashu nouchi homusango. Jerusaremu neJudhea yose navanhu vomunharaunda yeJorodhani vakabuda vachienda kwaari vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo. Paakaona vaFarisei vazhinji navaSadhusei vachiuya kuzoombekwa akati kwavari, “Imi vana venyoka, ndiani akakunyeverai kuti mutize kurangwa kuri kuuya? Naizvozvo berekai muchero unowirirana nokupinduka kwenyu. Regai kuzvifurira muchiti zvatina Abhurahamu sababa vedu muchechetere, nokuti ndinoti kwamuri, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva kumatombo aya. Zvino demo ratonanga parinotema midzi yemiti. Naizvozvo muti wose usingabereki muchero wakanaka uchatemwa uchikandwa mumoto. Hongu ini ndinokuombekai nemvura kuti mupinduke. Asi arikuuya mushure mangu ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kutakura shangu dzake; iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto. Rusero rwake ruri muruoko rwake kuti aurutse zvapurwa paburiro rake nokuunganidza koroni yake nokuiisa mudura. Asi hundi achaipisa nomoto usingadzimiki.” Jesu akabva kuGarirea achienda kurwizi rwaJorodhani kwaiva naJohani kundoombekwa naye. Johani aida kumurambidza achiti, “Ini ndini ndinofanira kuombekwa nemi. Zvino imi ndimi mouya kwandiri here?” Jesu akamupindura achiti, “Parizvino rega zvive saizvozvo nokuti zvakanaka kuti tizadzise zvakarurama zvose.” Ndipo paakabvuma. Jesu paakangoombekwa akabva abuda mumvura pakarepo ndokubva matenga akazaruka kwaari akaona Mweya waMwari achiburuka akaita senjiva achisvikomhara paari. Hero izwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo anondifadza zvikuru.” Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya kuenda murenje kundoedzwa naSatani. Akatsanya siku nesikati kwamazuva makumi mana. Mushure mezvo akabva oziya. Muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti matombo aya ave chingwa.” Asi iye akapindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga asi neizwi rose rinobuda mumuromo maMwari.’ ” Dhiabhori akamutora akaenda naye kuguta dzvene pamusorosoro chaipo peTemberi akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari zviwisire pasi nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete, vachakugama mumaoko avo kuti urege kugumburwa rutsoka rwako nebwe.’ ” Jesu akati kwaari, “Zvakanyorwazve kuti, ‘Usaedze Tenzi Mwari wako.’ ” Dhiabhori akamutorazve akaenda naye kugomo refu — refu akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nembiri yaho. Satani akati kwaari, “Zvose izvi ndinokupa kana ukati pasi gwadagwa uchindinamata.” Jesu akati kwaari, “Ibvapo! Satani nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako. Iye oga ndiye waunofanira kushandira.’ ” Dhiabhori akabva akamusiya. Vatumwa vakabva vauya kuzomushandira. Jesu paakanzwa kuti Johani akanga asungwa, akaenda kuGarirea. Akabva kuNazareti akandogara kuKapanaumu padyo negungwa, mudunhu rokwaZabhuroni nerokwaNafutari kuti zviya zvakanga zvataurwa nomuporofita Isaya zvizadzikiswe zvokuti, “Iwe nyika yeZabhuroni newe nenyika yeNafutari iri pedyo negungwa mhiri kwaJorodhani, Garirea yevechirudzi, vanhu vakanga vagere murima vakaona chiedza chikuru navavo vakanga vagere munyika nomumumvuri worufu chiedza chakavabudira.” Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuparidza achiti pindukai nokuti umambo hokudenga hwaswedera. Zvino Jesu akati achifamba pamahombekombe egungwa reGarirea, akaona mukoma nomunun'una, vana Simoni anonzi Pita naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi hwavo mugungwa nokuti vakanga vari vabvuvi vehove. Akati kwavari, “Nditeverei. Ini ndichakuitai vabvuvi vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya usvasvi hwavo vakamutevera. Akaenda mberi akaona vamwe, mukoma nomunun'una, Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa navaZebhedhi, baba vavo vachigadzira usvasvi hwavo. Akavadaidza. Pakarepo vakabva vasiya igwa nababa vavo vakamutevera. Jesu akafamba neGarirea yose achidzidzisa mumasinagogu avo achiparidza Shoko Rakanaka roumambo uye achirapa zvirwere zvose noundonda hwose pakati pavanhu. Mukurumbira wake wakapararira neSiria yose. Vakaunza kwaari varwere vose vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana — siyana namamwewo marwadzo navakanga vakagarwa nemweya yakaipa, navaiva netsviyo navakanga vane mitezo yomuviri yavo yakafa akavarapa. Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richibva kuGarirea nokuDhekaporisi nokuJerusaremu nokuJudhea uye nokumhiri kwaJorodhani. Jesu akati achiona gurusvusvu riya ravanhu akakwira mugomo. Paakagara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari. Akazarura muromo wake akavadzidzisa achiti: “Vakakomborerwa zvavo varombo mumweya nokuti umambo hwedenga ndohwavo. Vakakomborerwa zvavo vanochema nokuti vachanyaradzwa vakakomborerwa zvavo vakapfava nokuti vachawana nhaka yenyika. Vakakomborerwa zvavo vane nzara nenyota yoururami nokuti vachagutswa. Vakakomborerwa zvavo vane tsitsi nokuti vachaitirwawo tsitsi. Vakakomborerwa zvavo vakachena pamwoyo nokuti vachaona Mwari. Vakakomborerwa zvavo vawadzanisi nokuti vachanzi vana vaMwari. Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami nokuti umambo hwedenga ndohwavo. Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wapasi. Zvino kana munyu usisavavi unozovaviswa nei? Unenge usisina basa unofanira kutongoraswa zvawo uchitsikwa zvawo navanhu. “Imi muri chiedza chapasi. Guta rakavakirwa pagomo harivanziki. Vanhu havatungidzi mwenje vachiukwidibira nedengu asi kuti vanotouisa pachigadzikiro chomwenje uchivhenekera vose vari mumbamo. Saizvozvowo, chiedza chenyu ngachivhenekere vanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka varumbidze Baba venyu vari kudenga. “Regai kumbofunga zvenyu kuti ndakauya kuzoparadza mutemo kana vaporofita. Handina kuuya kuzozviparadza, asi kuzozvizadzisa. Nokuti ndinokutaurirai zvechokwadi chaizvo kuti denga napasi zvingapfuure zvazvo asi hapana kana kabhii kana kaga zvako komutemo kachabviswa mumutemo kusvikira zvose zvaitika. Nezvo ani naani anotyora mumwe wemitemo iyi achidzidzisa vanhu kudaro achanzi mudiki muumambo hwedenga. Asi uyo anoichengeta achiidzidzisa achanzi mukuru muumambo hwedenga. “Nokuti ndinokutaurirai kuti kana ururami hwenyu hukasadarika ururami hwenyanzvi dzomutemo navaFarisei hamumbopinda muumambo hwedenga. “Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraye. “ ‘Ani naani anouraya achatongwa.’ Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto. Ipapo kana uchindopira chipo chako paatari, ipapo ukafunga kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari uende utange wayanana nehama yako. Wozouya zvako opira chipo chako. “Wadzana nomunhu ari kukukwirira dare nokuchimbidza muchiri munzira yokuenda kudare angadaro uyo ari kukukwirira dare akakuisa kumutongi mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, uye uchizoiswa mujeri. Zvechokwadi ndinokutaurira kuti haumbomubuda kusvikira waripa sendi rokupedzisira. “Makanzwa kuti zvakanzi, musaite upombwe Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Ani naani anotarisa mukadzi achimuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.’ Kana ziso rako rorudyi richikukonzera kutadza risvukunure urikande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe nhengo yomuviri wako panze pokuti muviri wako wose ukandwe mugomba romoto. Kana ruoko rwako rworudyi ruchikukonzera kutadza rudimbure urwukande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe yenhengo dzako panze pokuti muviri wako wose uende kugomba remoto. “Zvakanziwo uyo anoramba mukadzi wake ngaamupe tsamba yegupuro. Asi ini ndinoti, ‘Ani naani anoramba mudzimai wake kunze kokunge chikonzero chacho chiri choupombwe, anomuita kuti aite upombwe. Ani naaniwo anoroora mukadzi akarambwa anoita upombwe.’ “Makanzwawo kuti zvakanzi kuvanhu vakare musapike nhema asi kuti munotofanira kuita zvamakapika kuna Tenzi. Asi ini ndinoti kwamuri usambopika zvako naTenzi kana nedenga nokuti chigaro choumambo chaMwari; kana kupika nenyika nokuti chitambarariko chetsoka dzake; kana kupika neJerusaremu nokuti iguta ramambo mukuru. Usapike nomusoro wako nokuti haugoni kusandura ruvhudzi rwako kuti ruve ruchena kana rutema. Regai hongu wenyu angova hongu nakwete wenyu angova kwete; zvimwe zvose zvinopfuura ipapa zvinobva kuna wakaipa uya. “Makanzwa kuti zvakanzi ziso rinofanira kutsiviwa neziso zino richitsiviwa nezino. Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Usadzivise wakaipa.’ Kana munhu akakurova mbama padama rorudyi mutendeudzire rimwezve. Kana munhu achida kukukwirira dare achida kukutorera bhatye rako ibva wamupa nejasi rako. Kana munhu akakumanikidza kuti umuperekedze kiromita imwechete, muperekedze kwamakiromita maviri. Munhu anokukumbira, mupe. Usanyime uyo anoda kukukwereta. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida mumwe wako uvenge muvengi wako.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga,’ nokuti ivo vanobudisira zuva ravo vakaipa navakanaka; uye vanonaisira mvura yavo vakarurama navasina kururama. Ko kana muchida vanokudai, munowana mubayiro wei, ko vateresi havaiti saizvozvo here? Kana muchingokwazisa hama dzenyu chete, chii chamunokunda vamwe nacho ipapa? Vechirudzi havaiti zvimwechetezvo here? Nezvo imi munofanira kuva vakaruramisisa sezvakangoita Baba venyu vokudenga vakaruramisisa.” “Ngwarirai kuti murege kuita zvokushamisira pamberi pavanhu kuti vakuonei mukuita kwenyu kwakarurama. Nokuti mukadaro hamuzowana mubayiro unobva kuna Baba venyu vari kudenga. “Nezvo kana mopa zvipo musaridze hwamanda sezvinoita vanyengedzi mumasinagogu; nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu. Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, vakatowana mubayiro wavo kare. Asi kana mopa zvipo, ruoko rwenyu rworuboshe ngarurege kuziva zviri kuitwa norudyi kuti kupa kwenyu zvipo kuve kwomuchivande, kuti Baba venyu vanoona muchivande vagokupai mubayiro. “Kana mava kunamata regai kuita savanyengedzi. Vanoda kumira vachinamata mumasinagogu napamharadzano dzenzira vachiitira kuti vaonekwe navanhu. Chokwadi — chokwadi ndinoti kwamuri vakatowana mubayiro wavo kare. Asi kana iwe wava kunamata, pinda mumba mako uzarire gonhi rako unamate kuna Baba vako vari muchivande. Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande, vachakupa mubayiro. “Asi imi kana mava kunamata regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda kokuwanda kwamazwi avo. Musafanane navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda musati mavakumbira. Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva nezuva. Tiregerereiwo zvitadzo zvedu, sokuregerera kwatinoita vanotitadzira Musatirege tichipinda muchiedzo. Asi tinunureiwo kune zvakaipa. ’ Nokuti umambo ndowenyu, nesimba nembiri, narini narini. Ameni. “Kana mukaregerera vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyu vokudenga vanokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu. Kana musingaregereri vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyuwo havakuregererei zvikanganiso zvenyu. “Kana motsanya musasuruvarise uso sezvinoita vanyengedzi nokuti vanounyanisa kumeso kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri vatogamuchira mubayiro wavo. “Asi kana imi motsanya, zorai musoro mafuta, mushambe uso hwenyu; kuti kutsanya kwenyu kurege kuonekwa navanhu; asi kuti kuonekwe naBaba venyu vari muchivande. Ivo Baba venyu vanoona muchivande vachakupai mubayiro. “Regai kuzviunganidzira upfumi panyika. Pahunodyiwa nezvipfukuto nengura nehonye, panozopazwa nembavha dzichiba. Asi zviunganidzirei upfumi kudenga, kusina chipfukuto kana ngura inohudya, kusingapazwi nembavha dzichiba, nokuti pano upfumi hwako ndipo pano mwoyo wakowo. “Ziso ndiro mwenje womuviri. Nezvo kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uchazara nechiedza. Asi kana ziso rako risina kunaka muviri wako wose uchazara nerima. Zvino kana chiedza chiri mamuri chava rima, rima racho richava rakakura sei! “Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri, nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe, kana kuti anoti kwati kwati nomumwe achizvidza mumwe. Haugoni kuva muranda waMwari nomuranda wemari. “Vimba naMwari kuti anokupa zvinokuraramisa. Nezvo ndinoti kwamuri musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei. Ihwo upenyu hausi hwakakosha here kupinda chokudya, uye muviri haupfuuri chokupfeka here? “Tarisai muone shiri dzedenga hadzidyari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura asi Baba venyu vokudenga vanodzipa chokudya. Hamuna kukosha here kupinda idzo? Ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo? Ko munozvinetsereiko muchifunga nezvokupfeka? Tarisai muone maruva esango kuti anokura sei. Haabati basa kana kuruka. Asi ndinoti kwamuri kunyange Soromoni pachake nembiri yake yose iya, akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Kana Mwari achishongedza uswa homusango huripo nhasi uno, mangwana hwokandwa muchoto, haasi anokupfekedzai zvakatonyanya here imi vanhu vochitendero chiduku. Saka musazvidye mwoyo muchiti tichadyei kana kuti tichanwei kana kuti tichapfekei. Nokuti vechirudzi vanotsvaka zvose izvi asi Baba venyu vokudenga vanoziva kuti zvose izvi munozvida. Imi, kutangira zvose tsvakai umambo hwake; noururami hwake, zvinhu zvose izvi zvichavawo zvenyu. “Nezvo musazvidye mwoyo nezvamangwana nokuti mangwana achazvionera oga, zuva roga roga rine nhamo dzaro dzakarikwanira.” “Musatonge vamwe, imiwo hamuzotongwi. Matongero amunoita vamwe ndiwo amuchatongwawo nawo. Mwero wamunoera nawo, ndiwo mwero wamuchaererwawo nawo. Unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni zidanda riri muziso mako kana kuti ungati sei kune hama yako rega ndikubvise kabanzu kari muziso rako, imo muziso rako muine zidanda. Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso rako. Ipapo unenge wava kunyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. Musape zvinhu zvinoera kuimbwa kana kukanda matombo anokosha amapera pamberi penguruve, dzingadaro dzikaatsika — tsika uye dzodzoka dzokurwisai imi. “Kumbirai muchapiwa, tsvakai muchawana, gogodzai muchazarurirwa. Nokuti wose anokumbira anopiwa. Anotsvaka anowana. Uye unogogodza achazarurirwa. Nokuti ndiani wenyu anoti kana mwana wake amukumbira chingwa, anomupa dombo. Kana kuti akakumbira hove omupa nyoka? Zvino kana imi vaipi, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, ko kutozoti Baba venyu vari kudenga, vanopa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanovakumbira! Zvose zvamungade kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo nokuti uyu ndiwo mutemo navaporofita. “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rinotungamira kundoparadzwa rakapamhamha uye nzira yacho inyore, vanopinda napo vakawanda. Asi isuo rakamanikana uye nzira yacho yakaoma inoendesa kuupenyu, vanoiwana vacho vashoma. “Ngwarirai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe ehwai ivo mukati vari mhumhi dzinorura. Muchavaziva nemichero yavo; magirepisi angakohwiwa muminzwa here, kana maonde murukato here? Nezvo muti wose wakanaka unobereka muchero wakanaka; asi muti wakaipa unobereka muchero wakaipa. Muti wakanaka haungabereki muchero wakaipa; mutiwo wakaipa haungabereki muchero wakanaka. Muti wose usingabereki muchero wakanaka unotemwa uchikandwa mumoto. Nezvo muchavaziva nemichero yavo. “Havasi vose vanonditi, ‘Tenzi Tenzi’ vachapinda muumambo hwedenga asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Pazuva iroro, vazhinji vachanditi, ‘Tenzi Tenzi, hatina here kuporofita muzita renyu, tikadzinga mweya yakaipa muzita renyu, tikaita mabasa anoshamisa muzita renyu?’ Ipapo ndichavataurira pachena kuti handina kumbokuzivai. Ndibvirei pano imi vaiti vezvakaipa. “Naizvozvo munhu wose anonzwa mazwi angu aya achiita zvaanoreva, achave somunhu mungwaru akavakira imba yake paruware. Mvura yanaya, mafashamo akauya; dutu rikavhuvhuta richiroverera pamba iyoyo; asi haina kuwa nokuti yakanga yavakirwa paruware. Munhu wose anonzwa mazwi angu aya, asingaachengeti, akaita somurume benzi akavakira imba yake pajecha. Mvura yakanaya, mafashamo akauya. Dutu rakavhuvhuta rikaroverera paimba iyoyo ikawa, kuwa kwayo kwakava kukuru kwazvo.” Jesu paakangopedza mashoko aya gungano riya ravanhu rakashamiswa norudzidziso rwake nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba kwete senyanzvi dzavo dzomutemo. Jesu paakaburuka mugomo muya, vanhu vazhinji zhinji vakamutevera. Hoyo mumwe munhu akanga ana maperembudzi akauya kwaari akasvikopfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, kana muchida zvenyu, munokwanisa kundiporesa muchindichenura.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, achiti, “Ndinoda, natswa uchenurwe hako.” Pakarepo akabva anatswa maperembudzi ake. Jesu akati kwaari, “Usawane waunotaurira. Asi enda undozviratidza kumupristi upire chipo chakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu chako kuvanhu.” Paakapinda muKapenaumu, mumwe mukuru wezana ramasoja akauya kwaari achimuteterera achiti, “Tenzi muranda wangu arere kumba; mitezo yake yatonhora uye ari kurwadziwa zvakanyanya.” Jesu akati kwaari, “Ndichauya ndizomurapa.” Asi mutungamiri wezana uya akamupindura achiti, “Tenzi handikodzeri kuti mupinde mumba mangu, ingotaurai zvenyu izwi chete, muranda wangu achapora. Ini ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo ari pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, ‘Enda,’ achienda uye kune mumwe, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ achichiita.” Jesu paakamunzwa akashamiswa. Akati kuna vaimutevera, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handina kumboona chitendero chakadai. Ndinokuudzai kuti vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero vachizogara pakudya naAbhurahamu naIsaki naJakobho muumambo hwedenga, vana voumambo vachikandwa kurima rokunze. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.” Jesu akati kumutungamiri wezana, “Chienda zvako ngazviitike sokutenda kwako.” Muranda uya akabva apora panguva iyoyo. Jesu paakapinda mumba maPita akaona ambuya vake varere, muviri wavo uchipinda chando. Akavabata ruoko kurwara kwavo ndokubva kwapera, vakabva vamuka vakamushandira. Manheru acho, vanhu vakauya kuna Jesu navanhu vazhinji vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Akadzinga mweya iyoyo nokungotaura nomuromo chete. Akaporesawo vose vakanga vachirwara. Akaita izvi kuti azadzise zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti, “Akabvisa zvirwere zvedu akatakura matenda edu.” Jesu, paakaona gungano guru ravanhu vakanga vamuunganira akati, ngatiyambukei mhiri. Imwe nyanzvi yomutemo yakauya ikati kwaari, “Mudzidzisi ini ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru, shiri dzedenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana pokutsamira musoro wake.” Mumwewo akanga ari mudzidzi wake, akati kwaari, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.” Jesu paakapinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera. Hero dutu guru remhepo rakamuka mugungwa zvokuti igwa rakanga rava kuda kunyudzwa namasaisai, asi Jesu akanga akakotsira zvake. Vadzidzi vakaenda kwaari vakamumutsa vachiti, “Tenzi tiponesei tavakupera.” Jesu akati kwavari, “Ko munotyireiko mukadaro? Inga muri vanhu vechitendero chidiki!” Akabva asimuka akatsiura dutu riya negungwa kukabva kwanyatsoti dzikadzika kunyarara. Vanhu vakashamiswa vakati, “Munhu uyu, munhu rudzii uyu, anototeererwa kunyange nemhepo negungwa?” Paakasvika kumhiri kuya, kunyika yavaGadhara. Akasangana navarume vaviri vaiva nemweya yakaipa vachibva mumakuva. Vaityisa zvikuru zvokuti hapana munhu aikwanisa kupfuura nenzira iyoyo. Vakabva vazhamba vachiti, “Unei nesu, Mwanakomana waMwari. Wauya kuzotirwadzisa here nguva isati yasvika.” Zvino pakanga pane danga renguruve dzakawanda dzakanga dzichifura zvadzo dziri chinhambwe navo. Mweya yakaipa iya yakamukumbira kuti kana watidzinga, tidzingire mudanga renguruve. Jesu akati, “Endai.” Saizvozvo yakabuda ikandopinda munguruve dziya. Hero danga rose renguruve rakati ware kumhanya. Rakateremuka napamawere echikomo ichocho ndiye mugungwa rororo. Vafudzi vakati ware kutiza. Pavakandopinda muguta vakataura zvose nezvakanga zvaitika kuna vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Hero guta rose rakabuda kundosangana naJesu. Pavakamuona vakamukumbira kuti abve zvake munharaunda yavo. Jesu paakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake. Havo vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga akatonhora mitezo akati rabada pabonde rake! Jesu paakaona chitendero chavo akati kune munhu uya akatonhora mitezo, “Tsunga mwoyo mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.” Ipapo dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakati, nechomumwoyo, “Munhu uyu ari kushonha Mwari.” Zvino Jesu zvaaiziva zvavaifunga akati; “Munofungirei zvakaipa mumwoyo yenyu. Ko chakareruka ndechipi kuti, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvitadzo” akati kune munhu uya akanga akatonhora mitezo, “Simuka utore bonde rako uende kumusha.” Akasimukawo akaenda kumusha. Gungano riya parakazviona rakatya rikarumbidza Mwari akanga apa simba rakadaro kuvanhu. Jesu paakabva ipapo avakuenda, akaona mumwe murume anonzi Mateu agere pahofisi yomutero. Akati kwaari, “Nditevere.” Iye akabva asimuka omutevera. Paakanga akagara pakudya mumba, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake. VaFarisei pavakazviona vakati kuna vadzidzi vake, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” Paakazvinzwa akati; “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara. Endai munodzidza izvi kuti zvinorevei zvokuti, ‘Ndinoda tsitsi kwete chibayiro’ nokuti handina kuuya kuzodaidza vakarurama asi vatadzi.” Vadzidzi vaJohani vakauya kwaari vachiti, “Ko isu navaFarisei tinotsanya sei asi vadzidzi venyu havatsanyi?” Jesu akati kwavari, “Vanhu vanenge vakokwa kumuchato vangasuwa here muwani vachinaye? Mazuva achauya pachabviswa muwani pavari. Ndipo pavachatsanya. Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru. Chigamba chinotobvarura hanzu tsaru iya. Ichitobva yanyanya kubvaruka. Uye waini itsva haiiswi muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Zvikaitwa saizvozvo, zvigubhu zvinoputika waini ichirasika zvoparara. Aiwa itsva inofanira kuiswa muzvigubhu zvitsva. Saizvozvo zvose zvinobva zvachengeteka.” Jesu paakanga achiri kutaura kwavari mumwe mutungamiri akapinda akapfugama pamberi pake achiti, “Mwanasikana wangu afa iye zvino izvi. Uyai muzoisa ruoko rwenyu paari, achararama.” Jesu akasimuka akamutevera pamwechete navadzidzi vake. Pakabva pauya mumwe mudzimai akanga aine chirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akauya necheshure kwake akabata mupendero wehanzu yake nokuti akazviti nechemumwoyo, “Ndikangobata chete hanzu yake ndichava wadi.” Jesu akatendeuka akamuona akati, “Tsunga mwoyo mukunda, chitendero chako chakuponesa.” Jesu paakasvika kumba kwomutungamiri uya, akaona vokuridza nyere negungano ravanhu richiita mhere mhere. Iye akati, “Budai nokuti musikana haana kufa, akakotsira.” Vakamuseka. Chikwata chavanhu pachakaburitswa, Jesu akapinda akamubata ruoko. Musikana ndokubva amuka. Mukurumbira wake wakapararira mudunhu iroro rose. Jesu paakabva ipapo, varume vaviri vaiva mapofu vakamutevera vachidaidzira zvikuru vachiti, “Tinzwireiwo tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi.” Paakapinda mumba mapofu aya akauya kwaari. Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinokwanisa kuita izvi here?” Vakati kwaari, “Hongu Tenzi.” Akabata maziso avo akati, “Ngazviitwe kwamuri sokutenda kwenyu.” Maziso avo akabva azaruka. Jesu akavakohomedza achiti, “Ngwarirai kuti pasave nomunhu anozviziva.” Asi vakaenda vakaparadzira mukurumbira wake mudunhu rose iroro. Pavakabva ipapo, pakauiswa munhu aiva mbeveve akagarwa nomweya wakaipa. Mweya wakaipa pawakaburitswa, mbeveve iya yakataura. Gungano rakashamiswa richiti, “Hakuna kumboonekwa zvakadai muIsiraeri.” Asi vaFarisei vakati, “Anodzinga mweya yakaipa nesimba rejinda roMweya yakaipa.” Jesu akafamba nomumaguta ose nomumisha achidzidzisa mumasinagogu avo achiparidza Shoko Rakanaka roumambo achirapa zvirwere zvose namatenda ose. Paakaona gungano ravanhu, akavanzwira tsitsi nokuti vaitambura vasina chingavabatsire sehwai dzisina mufudzi. Ipapo akati kuna vadzidzi vake, “Zvinoda kukohwiwa zvakawanda asi vakohwi vashoma, naizvozvo, namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mumunda wake unoda kukohwiwa.” Jesu akadaidza kwaari vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaidzinge nesimba rokurapa zvirwere zvose namatenda ose. Mazita avapositori gumi navaviri ndaaya: wokutanga ndiSimoni anonzi Pita nomunun'una wake Andireya, kouya Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake. Kozouya Firipi naBhatoromeo kwoti Tomasi naMateu, muteresi, kwozoti Jemusi mwanakomana waArifeosi naTadheo. Kwozotiwo Simoni muKenani naJudhasi Isikarioti uya akazomupandukira. Jesu akatuma vane gumi navaviri ava achivakomera achiti, “Musaende kune vechirudzi uye musapinde muguta ravaSamaria asi endai kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri muparidze pamunenge muchifamba muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwavapedyo.’ Rapai vanorwara, mutsai vakafa, murape vana maperembudzi mudzinge mweya yakaipa. Makapiwa pachena, imi ipaiwo pachena. Musatakure mari yendarama kana yesirivha kana yekopa muzvikwama zvenyu, kana tsapo yeparwendo kana hembe mbiri kana shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anokodzera kupiwa zvokudya. “Guta riri rose ramunopinda kana musha uri wose wamunopinda bvunzai kuti ndiani anokodzera mauri. Garai naye kusvikira mabvamo. Pamunopinda imomo kwazisai vomumbamo. Kana imba iyoyo ichikodzera, rugare rwenyu ngaruende pairi. Asi kana isingakodzeri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Kana munhu asingadi kukugamuchirai kana kuteerera mazwi enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mava kubva pamba ipapo kana guta iroro. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, ‘Pazuva rokutongwa zvicharerukira nyika yeSodhomu neGomora kupinda guta iroro.’ “Tarirai, ndinokutumai sehwai mukati memhumhi, nezvo ngwarai senyoka asi makarurama senjiva. Ngwarirai vanhu, nokuti vachakukwirirai matare vachikurovai mumasinagogu avo. Muchakwekweretserwa kuvatongi namadzimambo, pamusana pangu, kuti mupe uchapupu pamberi pavo nokune vechirudzi. Kana vakukwirirai musazvinetse kuti muchataura sei kana kuti muchataurei nokuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva iyoyo, nokuti hamusirimi munenge muchitaura asi Mweya waBaba venyu anenge achitaura nemamuri. “Mukoma nomunun'una vachakwirirana kumatare kusvikira pakuuraisana. Babawo vachakwirira mwana wavo. Vana vachamukira vabereki kuti vauraiwe uye muchavengwa navose pamusana pezita rangu asi uyo anotirira kusvika pamugumo achaponeswa. Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya. Mudzidzi haasi mukuru pane mudzidzisi wake nomurandawo haasi mukuru pana tenzi wake. Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake? “Naizvozvo musavatye. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswa pachena kana chakavandika chisingazozivikanwa. “Zvandinokutaurirai murima zvitaurei masikati machena, zvamunonzwa nakazevezeve zviparidzei muri pamusoro pemba. Musatye avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya asi ityai uyo anogona kuuraya mweya nomuviri mugomba romoto. Tushiri tudiki tuviri hatutengeswi nesendi here? Asi hapana kamwe katwo kanowira pasi, kusiri kuda kwaBaba venyu. Kana murimi zvenyu, kunyange vhudzi romusoro wenyu rose rakaverengwa. Saka musatye; munotokosha kupinda tushiri tuzhinji. “Nezvo munhu anondibvuma pamberi pavanhu ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi munhu anondiramba pamberi pavanhu, ini ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Regai kufunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika. Handina kuuya kuzounza rugare asi hondo yebakatwa nokuti ndakauya kuzorwisanisa baba nomwanakomana vake, mwanasikana achapesanawo naamai vake, muroorawo achapesana navamwene vake. Mhandu dzomunhu dzichava dzomumba make. “Munhu anoda baba namai kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Aninaani asingatore muchinjikwa wake achinditevera haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake, pamusana pangu, achahuchengetedza. “Uyo anogamuchira imi anogamuchirawo ini. Anogamuchira ini anogamuchirawo uyo akandituma. Anogamuchira muporofita pamusana pokuti muporofita anowanawo mubayiro womuporofita. Uyowo anogamuchira munhu akarurama pamusana pokuti munhu wakarurama achagamuchirawo mubayiro womunhu wakarurama. Munhuwo anopa kune mumwe wavaduku ava kunyange mukombe wemvura inotonhora nokuda kokuti mudzidzi, zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri haamborega kuwana mubayiro wake.” Jesu paakapedza kudzidzisa vadzidzi vake vane gumi navaviri, akabva ipapo avakundodzidzisa nokuparidza mumaguta avo. Johani paakanzwa ari mujeri zvinhu zvakanga zvichiitwa naKristu, akatuma vadzidzi vake neshoko kwaari rokuti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” Jesu akavapindura achiti, “Endai mundotaurira Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona zvokuti, “Mapofu ari kusvinudzwa. Mhetamakumbo dzavakufamba vana maperembudzi vari kunatswa. Vamatsi vavakunzwa, vakafa vari kumutswa uye varombo vari kuparidzwa Shoko Rakanaka. Akakomborerwa zvake asingagumburiswi neni.” Nhumwa dziya padzakanga dzavakuenda, Jesu akatanga kutaura kuruzhinji rwavanhu nezvaJohani, achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here? Ko makaenderei? Kundoona munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Munoziva kuti vanopfeka hanzu dzakapfavirira vari mudzimba dzamadzimambo. Ko zvino makaenderei? Kundoona muporofita here? Ndinokutii, ‘Hongu, uye munhu anotopfuura muporofita.’ Uyu ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi, “ ‘Tarira ndinotuma nhume yangu; ichafanokugadzirira nzira yako pamberi pako.’ Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vose vakazvarwa navakadzi, hakuna mukuru kupinda Johani Muombeki asi mudiki wokupedzisira muumambo hwedenga mukuru kwaari. Kubvira pamazuva aJohani Muombeki kusvikira iye zvino, umambo hwedenga hwakapinda mukurwiswa uye vanhu vechisimba vari kuhupamba. Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kudzamara pana Johani. Kana muchida zvenyu kuzvibvuma iye ndiye Eriya uya ainzi achauya. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Ko chizvarwa chino ndingachienzanise neiko? Chakafanana navana vagere pamisika vachidaidzira kuna vamwe vavo vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba. Takaungudza, asi imi hamuna kuchema; nokuti Johani akauya asingadyi kana kunwa asi vanhu vakati ano mweya wakaipa. Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa.’ Vanhu vakati, ‘Tarisai muone munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi ungwaru hunopembedzwa namabasa aho.” Jesu akatanga kutsiura maguta maakanga aita zvishamiso zvake zvizhinji nokuti havana kutendeuka. Akati, “Zvichakuwana zvako iwe Korezeini; zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare vakatopfeka masaga nokuzvizora madota. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, zvichava nyore kuguta reTire nereSidhoni panemi. Ko iwe Kapenaumu uchasimudzirwa kudenga here? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakaitwa muguta reSodhomu ringadai richimire nanhasi uno. Chandinokutaurirai ndechokuti, ‘Pazuva rokutongwa, zvichava nyore kunyika yeSodhomu panewe.’ ” Ipapo Jesu akati, “Ndinokutendai Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba, aya madiro enyu. Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba uyewo hakuna anoziva Baba kusiya Mwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari. “Uyai kwandiri imi mose makaremerwa, makatakura mutoro unorema, ini ndichakuzorodzai. Torai joko rangu mudzidze kwandiri nokuti ndine mwoyo munyoro uye ndakazvirereka muchazviwanira mwoyo yenyu zororo nokuti joko rangu rakanaka uye mutoro wangu wakareruka.” Neimwe nguva Jesu aifamba nomuminda yekoroni nomusi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara, vakatanga kupurura hura dzekoroni vachidya. VaFarisei pavakazviona vakati kwaari, “Tarisai muone vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomutemo pamusi reSabata.” Iye akati kwavari, “Hamuna here kumboverenga zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara pamwechete nevaakanga ainavo kuti akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakanga chakasumwa kuna Mwari chaakanga asingabvumirwi, pamutemo, uye navakanga vainaye kuti vadye kusiya vapristi bedzi. Kana kuti hamuna kuverenga here mubhuku romutemo kuti pamusi weSabata muTemberi, vapristi vanon'oresa Sabata asi vasingapari mhosva. Asi ndinokutaurirai kuti pano pane zvakakura kupinda Temberi. Dai zvenyu maiziva zvinoreva izvi zvokuti, ‘Chandinoda ini itsitsi kwete chibayiro, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Tenzi weSabata.’ ” Akabvapo akandopinda mune imwe sinagogu yavo. Imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. Vakamubvunza kuti zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata kuti vamupe mhosva. Iye akati kwavari, “Ndiani wenyu angati kana ane hwai imwechete ikawira mugomba nezuva reSabata asingaibati achiiburitsa? Ko munhu anokosha zvakadii kupinda hwai? Ipapo zviri pamutemo kuita zvakanaka pamusi weSabata.” Akabva ati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akabva arutambanudza ndokubva rwatwasanuka pakare rwave rutano sorumwe. Asi vaFarisei vakabuda vakandoita bangano rokuti vangamuparadze sei. Jesu paakaziva izvi, akabva abva ikoko. Vanhu vazhinji vakamutevera akavarapa vose. Akavakohomedza kuti vasamuzivise kuvanhu. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zviya zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti, “Tarirai muone muranda wangu wandakasarudza, wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira. Ndichaisa Mweya wangu paari iye achaparidza kutonga kwakarurama kune vechirudzi. Haazoiti gakava kana kudaidzira hapana achanzwa izwi rake mumigwagwa. Rutsanga runenge rwatyoka haarudimburi, rambi rine tambo ine kamoto kanoti roi roi haaridzimi, kusvikira ruenzaniso rwakunda muzita rake vechirudzi vachava netariro.” Kwakauiswa kwaari bofu raive mbeveve rine mweya wakaipa akariporesa zvokuti mbeveve iya yakataura ikakwanisa kuona. Vanhu vose vakashamiswa vakati, “Uyu angave mwana waDhavhidhi here uyu?” VaFarisei pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu anodzinga mweya yakaipa nesimba raBherizebhuru chete jinda remweya yakaipa.” Jesu pamusana pokuziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunozvirwisa hunoparara. Hakunawo guta kana imba inozvirwisa ingagone kumira. Zvino Satani kana achidzinga Satani, ari kutozvirwisa iye pachake. Umambo hwake hungamire sei? “Kana ndichidzinga mweya yakaipa nesimba raBherizebhuru, ko vanhu venyu vanoidzinga nesimba raani? Ivo ndivo vachakukonesai. Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa noMweya waMwari, saka umambo hwaMwari hwatosvika pamuri. Kana kuti zvingaitike sei kutoti munhu angapinde mumba merume rine simba achipamba zvinhu zvaro, asi kuti atanga arisunga, ndokuzopamba zvemba yaro. “Uyo asineni, ari kurwisana neni; asingaunganidzi neni, anoparadza. Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, chitadzo chipi nechipi zvacho nokushonha Mwari kupi nokupi zvako kunoregererwa vanhu, asi kushonha Mweya hakuregererwi. Uyo anotaura chinhu chakaipa nezvoMwanakomana womunhu acharegererwa asi uyo anotaura zvakaipa nezvaMweya Mutsvene haaregererwi, muupenyu huno kana muupenyu huchauya. “Itai kuti muti uve wakanaka, muchero wawo uchavawo wakanaka; itai kuti muti uve wakaipa muchero wawo uchavawo wakaipa, nokuti muti unozivikanwa nomuchero wawo. Imi vana venyoka, mungataure sei zvakanaka imi makaipa, nokuti muromo unotaura zvinenge zvichitofashukira mumwoyo. Munhu wakanaka anoburitsa zvinhu zvakanaka zvichibva muupfumi hwake hwakanaka. Munhu wakaipa anoburitsawo mudura rake rouipi. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, vanhu vachazvidavirira izwi rimwe nerimwe ravanotaura zvisina mwero nokuti mazwi ako ndiwo achakupembedza uye mazwi ako ndiwo achakubatisa nemhosva.” Dzimwe nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakati kwaari, “Mudzidzisi tingade kuona chiratidzo chinobva kwamuri.” Asi iye akavapindura achiti, “Chizvarwa chakaipa uye chenzenza chinotsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kusiya kwaJona sechiratidzo. Sezvakangoita Jona akagara mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu mezihove, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu, achava pasi penyika siku nesikati kwamazuva matatu. Pazuva rokutongwa, vanhu veNinivhe vachasimuka vachipa mhosva chizvarwa ichi vachichibata nemhosva nokuti vakatendeuka pakaparidza Jona. Asi onai pano pane chakakura kupinda Jona. Pazuva rokutongwa Mambokadzi wokumaodzanyemba achasimuka achipa mhosva chizvarwa ichi achichibata nemhosva nokuti iye akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pano mukuru kupinda Soromoni. “Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu, unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera, asi unopashaya. Zvino unozoti, regai ndidzokere kumba kwangu kwandakabva. Kana wasvika unosvikoiwana isina chirimo yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa. Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogara imomo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga. Ndizvo zvichaitika kuchizvarwa chino ichi chakaipa.” Paakanga achiri kutaura kugungano riya ravanhu, amai vake navakoma navanun'una naye vakanga vatomira panze vachikumbira kutaura naye. [ Naizvozvo mumwe munhu akamutaurira kuti, “Amai venyu navakoma navanun'una venyu vamire panze, vari kukumbira kutaura nemi.”] Jesu akapindura munhu akanga amuudza achiti, “Ko amai vangu ndiani vakoma navanun'una vangu ndavanani?” Akatambanudza ruoko kuna vadzidzi vake achiti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu! Nokuti aninaani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mukoma nomunun'una neni nehanzvadzi naamai vangu.” Nezuva iroro Jesu akabva mumba muya akandogara pamahombekombe egungwa. Akaunganirwa nechita chikuru chavanhu zvokuti akatozokwira mugwa ogaramo. Gungano rose ndokuti chechetere kumira pamahombekombe. Akavataurira zvinhu zvizhinji nemienzaniso achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu. Paakanga achikusha kudaro, dzimwe mbeu dzakandowira munzira. Shiri dzakauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarahwe padzisina kuwana ivhu rakadzika. Dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakawanda. Kuzoti zuva rakwira dzakatsva. Sezvo dzakanga dzisina midzi; dzakashwauruka. Dzimwe dzakandowira muminzwa. Minzwa yakakura ikadzivhunga. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikabereka mbesa. Dzimwe dzakaita zana, dzimwe makumi matanhatu. Dzimwe makumi matatu. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Vadzidzi vakazouya kwaari vakati, “Munotaurirei kwavari nemienzaniso?” Iye akavapindura achiti, “Imi makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwokudenga. Asi ivo havana kuzvipiwa nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe achitova nezvakawandisa. Asi uyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemienzaniso: “Nokutarisa vanotarisa zvavo asi vasingaoni uye kunzwa vanonzwa zvavo; asi havateereri kana kunzwisisa. Kwavari zvinobva zvazadziswa zvakataurwa nomuporofita Isaya achiti, ‘Zvokuteereresa regaika zvenyu kuteerera handiti mungadaro mukazonzwisisa, kana zvokutarisa regai zvenyu kutarisisa mungadaroka mukazonyatsoona. Nokuti mwoyo yavanhu ava yakasindimara, vakatyorera zvimiti munzeve, vakatsinzinya maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo; vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.’ “Akakomborerwa zvawo maziso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri vaporofita vazhinji navanhu vakarurama vaisuwira kuona zvamuri kuona asi havana kuzviona uye kunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa. “Chinzwisisai muenzaniso uya womukushi. Kana munhu akanzwa mashoko oumambo uhu asinganzwisisi, muipi anouya obvuta zvinenge zvadyarwa mumwoyo make. Ndivo vakadyarwa munzira. Yakadyarwa parukangarahwe, ndiye uya anonzwa shoko obva arigamuchira norufaro asi haana mudzi maari anotirira kwechinguva. Kana nhamo namatambudziko zvamuka pamusana peshoko, anobva atsauka. Yakadyarwa muminzwa ndouyo anonzwa izwi asi kuzvidya mwoyo nezvapanyika nokutorwa mwoyo noupfumi, zvinovhunga izwi, rokundikana kubereka muchero. Asi yakadyarwa muvhu rakanaka, ndouyo anonzwa shoko achirinzwisisa uye anobereka muchero achikohwa mumwe zana, mumwewo makumi matanhatu mumwe makumi matatu.” Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafananidzwe nomunhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make. Asi vanhu vakarara, muvengi wake akauya akadyara sawi mukati mekoroni akabva aenda. Padzakabuda dzikatumbuka sawi rakaonekwawo.” Vashandi vepamba ipapo vakauya vakati kwaari, “Changamire, hamuna kudyara mbeu yakanaka here mumunda menyu? Ko sawi rakazobva kupi?” Iye akati kwavari, “Muvengi ndiye akaita izvi.” Vashandi vakati kwaari, “Mungade here kuti tindoridzura?” Asi iye akati, “Kwete, mungadaro mukadzipurirana nekoroni pamunenge muchidzura sawi. Regai zvikurirane pamwechete kusvikira panguva yokukohwa. Panguva yokukohwa ndichataurira vakohwi kuti, ‘Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisumbu kuti zvipiswe muunganidze koroni muitutire mudura rangu.’ ” Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. Ndiyo tsanga dukuduku pane dzimwe tsanga dzose. Asi kana ichinge yakura inoita gwenzi guru kupinda mamwe ose, ichizova muti, zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichizoita matendere adzo mumapazi awo.” Jesu akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita sembiriso yakatorwa nomumwe mudzimai akaisanganisa nezviereso zvitatu zvoupfu hwekoroni kusvikira mukanyiwa wose wafuta.” Jesu akataura zvose izvi kugungano ravanhu nemienzaniso. Hapana zvaaimbovataurira asingashandisi mienzaniso. Izvi zvaizadzisa zvakambotaurwa nomuporofita zvokuti, “Ndichazarura muromo wangu ndichitaura nemienzaniso. Ndichadudzira zvakavandika zvapasichigare.” Akabva pagungano ravanhu akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti, “Titsanangurirei muenzaniso wesawi romumunda.” Jesu akapindura achiti, “Anodyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. Munda wacho ndiyo nyika. Mbeu yakanaka ndivo vana voumambo. Sawi ndivo vana vomuipi. Muvengi akaridyara ndiDhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwapasi. Vakohwi ndivo vatumwa. Sokuunganidzwa kunoitwa sawi richipiswa nomoto ndizvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake. Vachaunganidza vagobvisa muumambo hwake vose vanokonzera vanhu kutadza navose vanoita zvakaipa vachivakanda muvira romoto. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino. Vakarurama vachapenya sezuva muumambo hwababa vavo. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Umambo hwodenga hwakaita soupfumi hwakavigwa mumunda hunoti kana munhu ahuwana anohuvigazve. Pamusana pokufara, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo otenga munda iwoyo. “Uyewo umambo hwedenga hwakaita somunhu anoshava matombo amapera anokosha anoti kana awana pera rimwechete rinokosha kwazvo, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo oritenga. “Umambo hwedenga hwakafananazve nousvasvi hwakakandwa mugungwa hukakukudza hove dzorudzi norudzi. Pahwakanga hwazara, vakahukwevera pamahombekombe. Vakagara pasi vachisarudza dzakanaka vachiisa mumidziyo vachirasa dzakaipa. Ndizvozvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. Vatumwa vachabuda vachindokamura vakaipa kubva muna vakarurama vachivakanda mubisiro romoto. Imomo vanhu vachachema vachirumanidza mazino. “Manyatsonzwisisa here zvose izvi?” Ivo vakati kwaari, “Hongu.” Iye akati kwavari, “Sokudaro nyanzvi yose yomutemo yakanyatsodzidziswa zvomutemo woumambo hwedenga, yakafanana nasaimba anoburitsa mudura rake zvitsva nezvitsaru.” Jesu paakapedza mienzaniso iyi, akabvapo oenda. Paakasvika kunyika yokwake, akavadzidzisa musinagogu mavo zvokuti vakashamiswa vachiti, “Munhu uyu akawanepi ungwaru uhu nezvishamiso izvi? Haasiri iye here mwanakomana womuvezi? Amai vake handivo here vanonzi Maria? Ko vana Jemusi naJosefi naSimoni naJudhasi havasi mukoma nomunun'una naye here? Inga hanzvadzi dzake dzose tinadzo wani. Ko munhu uyu, zvose izvi akazviwana kupi?” Vakagumbuka naye. Jesu akati kwavari, “Muporofita anoremekedzwa kumwe kose kusiya munyika make nomumusha make.” Haana kukwanisa kuita zvishamiso zvizhinji ikoko nokuda kokusatenda kwavo. Panguva iyoyo Herodhi, mumwe wavatongi vana akanzwa zvomukurumbira waJesu akati kumakurukota ake, “Uyu ndiJohani Muombeki akamutswa muvafi, ndokusaka achigona kuita zvishamiso izvi” nokuti Herodhi akanga abata Johani akamusunga ndokumuisa mujeri pamusana paHerodhiasi mudzimai womunun'una wake Firipi. Chikonzero ndechokuti Johani akanga amuti, “Hazvibvumirwi, pamutemo, kuti agare naye.” Kunyange zvazvo aida kumuuraya aitya vanhu nokuti vaimutora somuporofita. Asi pakasvika zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pechikwata chose chavanhu akafadza Herodhi zvokuti akatsidza nemhiko kumupa chose zvacho chaangakumbire. Asokwa mashoko naamai vake akati, “Ndipei, musoro waJohani Muombeki mudhishi iye zvino.” Mambo zvakamutambudza mwoyo asi nokuda kwemhiko dzake uye pamusanawo pavaenzi vake akati ngaapiwe. Akatuma munhu kuti andodimura musoro waJohani mujeri. Musoro wake wakaunzwa uri mudhishi ukapiwa kumusikana. Iyewo akaenda nawo kuna amai vake. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora chitunha ichocho vakachiviga. Vakaenda vakandotaurira Jesu. Jesu paakanzwa izvi, akabva ipapo negwa akaenda kunzvimbo isina vanhu, kwake oga. Voruzhinji rwavanhu pavakazvinzwa vakatevera ikoko netsoka vachibva mumaguta. Paakabuda mugwa pamahombekombe, akaona chita chikuru chavanhu. Akavanzwira tsitsi akaporesa varwere vavo. Zuva parakanga rava kuda kudoka, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Muno murenje uye kwava kudoka. Dai machiendesa vanhu vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” Jesu akati, “Havafaniri kuenda. Vapei iyemi zvokudya.” Vakati kwaari, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete.” Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akati vanhu ngavagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri. Akatarisa kudenga, ndokukomborera, ndokumedura, akapa zvingwa zviya kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipa kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakaunganidza tswanda gumi nembiri dzizere dzezvimedu zvakasara. Vanhu vakadya vaiva zviuru zvishanu zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana. Pakarepo akagombedzera vadzidzi kuti vakwire mugwa kuti vafanotungamira kumhiri; iye oonekana negungano riya ravanhu. Paakapedza kuonekana negungano riya ravanhu akakwira mugomo ari oga kundonamata. Paakanga ava madeko, akanga arimo ari oga. Asi igwa, panguva iyoyo, rakanga rava makiromita akawanda kubva kumahombekombe richiitwa suku nasai namafungu nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Kuzoti yava nguva yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa. Asi vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya zvikuru vachiti, “Idzimudzangara.” Vakaridza mhere nokutya. Pakarepo Jesu akabva ataura kwavari achiti, “Tsungai mwoyo, ndini. Musatye.” Ipapo Pita akati, “Tenzi kana murimi, itii ndiuye kwamuri ndichifambawo pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Pita akabuda mugwa akafamba napamusoro pemvura achienda kuna Jesu. Pita paakaona mhepo, akatya. Akatangisa kunyura ndokudaidzira achiti, “Tenzi ndiponesei.” Pakarepo Jesu akabva atambanudza ruoko rwake akamubata achiti kwaari, “Inga une chitendero chiduku. Wakahadzikireiko.” Pavakakwira mugwa, mhepo yakabva yanyarara. Vaya vaiva mugwa vakamugwadamira vachiti, “Zvechokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.” Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kuGenezareti. Varume voko pavakamuziva, vakatuma nhume kunharaunda iyoyo yose vakaunza kwaari vose vairwara. Vakamukumbirisa kuti vangobatawo mupendero wehanzu yake. Vose vakaibata vakaporeswa. Kwakazouya vaFarisei nenyanzvi dzomutemo kuna Jesu vachibva kuJerusaremu vachiti, “Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika dzamagamuchidzanwa dzamadzitateguru? Nokuti havashambi maoko avo pavanodya.” Jesu akavapindura achiti, “Ko imi munodarikirei mutemo waMwari nokuda kwamagamuchidzanwa enyu? Nokuti Mwari, akati, ‘Remekedza Baba naamai vako uye kuti munhu anotaura zvakaipa nezvababa kana amai vake anofanira kuti afe.’ Asi imi munoti, kana munhu akataurira baba vake kana amai vake achiti, ‘Zvandakanga ndichigona kuzokubatsirai nazvo ndazvipira kuna Mwari, haazosungirwa kuremekedza baba vake.’ Saizvozvo nokuda kwamagamuchidzanwa enyu, makaita kuti shoko raMwari rishaye maturo. Imi vanyengedzi, Isaya akaporofita zvechokwadi nezvenyu paakati, “ ‘Vanhu ava vanondikudza zvapamuromo chete asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo ndekwenhando vachidzidzisa, sechokwadi, mitemo yavanhu.’ ” Jesu akadaidza vanhu ndokuti kwavari, “Teererai munzwisise, “Munhu haan'oreswe nezvinopinda mukanwa make asi zvinobuda mukanwa make ndizvo zvinon'oresa munhu.” Vadzidzi vake vakauya vakati kwaari, “Munoziva here kuti vaFarisei vakagumbuka pavakanzwa zvamakataura zviya.” Iye akati, “Chose chisina kudyarwa naBaba vangu chichadzipurwa. Varegei vakadaro, mapofu avatungamiri. Zvino kana bofu, rikatungamirira rimwe bofu vachawira vose mugomba.” Asi Pita akati kwaari, “Titsanangurirei muenzaniso uyu.” Jesu ndokuti, “Nemiwo hamunzwisise nhai? Hamuoni here kuti chinhu chose chinopinda mukanwa chinopfuura nomudumbu chichizobva chorasirwa kunze. Asi chinobuda mukanwa momunhu chinobva mumwoyo, ndicho chinon'oresa munhu. Nokuti mumwoyo ndimo munobva pfungwa dzakaipa dzinoti, umhondi noupombwe nokufeva nokuba nokurevera vamwe nhema uye kutaura zvakaipa nezvavamwe. Izvi ndizvo zvinon'oresa munhu asi zvokudya usina kushamba maoko hazvin'orese munhu.” Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. Hoyo mumwe mudzimai wechiKanani, womudunhu iroro, akauya achichema achiti, “Ndinzwireiwo tsitsi, Tenzi, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akagarwa zvakanyanya nomweya wakaipa.” Asi Jesu haana chaakamupindura. Vadzidzi vake vakauya vakamukumbira vachiti, “Mutaurirei aende nokuti ari kutitevera achichema.” Iye akapindura achiti, “Ini ndakatumwa kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri.” Asi mudzimai uya akauya akapfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, ndibatsirei zvenyu.” Jesu akamupindura achiti, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikanda kuimbwa.” Mudzimai uya akati, “Hongu zvazvo Tenzi; asi kunyange mbwanana dzinodya tumedu tunodonha pateburu yavatenzi vadzo.” Jesu akamupindura achiti, “Iwe mudzimai chitendero chako chikuru! Ngazviitwe sokuda kwako.” Mwanasikana wake akabva anaya pakarepo. Jesu akabva ikoko akazopfuura achitevedza gungwa reGarirea. Akakwira muchikomo ndokugara pasi imomo. Zvita zvavanhu zvakawanda zvakauya kwaari. Vakaungana kwaari nemhetamakumbo navakaremara namapofu nembeveve navamwe vakadaro. Vakavaisa patsoka dzake. Iye akavaporesa zvokuti gurusvusvu riya ravanhu rakashamiswa, pavakaona mbeveve dzichitaura, zvirema zvaita zvakanaka nemhetamakumbo dzavakufamba namapofu avakuona. Vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri. Jesu akadaidza vadzidzi vake akati, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya zvino havachisina chokudya. Handide kuvaendesa nenzara vangadaro vakaziya panzira.” Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Tingawane kupi chingwa chinokwana kugutsa gungano guru ravanhu rakadai murenje muno?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe netuhove tushoma.” Akati vanhu vagare pasi. Akatora zvingwa zviya zvinomwe nehove. Akatenda, ndokuzvimedura ozvipa kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipawo kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakanhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza tswanda nomwe. Vakadya vacho vaiva zviuru zvina zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana. Jesu akazoendesa vanhu ndokukwira mugwa woenda kudunhu reMagadhani. VaFarisei navaSadhusei vakauya kuna Jesu vachikumbira chiratidzo chinobva kudenga kuri kumuedza zvavo. Iye akavapindura achiti, “Kumanheru munoti, ‘Kunze kuchange kwakanaka nokuti denga rinenge rakatsvukirira.’ Kumangwanani munoti, ‘Nhasi kuchaita dutu nokuti denga rakatsvuka uye riri kutozezesa.’ Munoziva kutsanangura zvinoreva kutarisika kunenge kwakaita kunze, asi hamukwanisi kutsanangura zvinoreva zviratidzo zvenguva dzino. Muri chizvarwa chakaipa chenzenza chinotsvaka chiratidzo. Hapana chiratidzo chichapiwa kusiya chiratidzo chaJona.” Akabva avasiya oenda. Vadzidzi pavakayambukira kumhiri kuya, vakanga vakanganwa kutakura chingwa. Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” Vakazvikurukura pachavo vachiti, “Hatina kuuya nechingwa.” Jesu akazviziva akati, “Inga muri vanhu vechitendero chidiki. Ko munogokurukurirana zvokuti hamuna chingwa sei? Nazvino hamusati mavakunzwisisa? Hamuyeuki here zvezvingwa zvishanu zvezviuru zvishanu zvavanhu? Uye kuti makaunganidza tswanda ngani? Ko nezvezvingwa zvinomwe zvezviuru zvina zvavanhu? Makaunganidza tswanda ngani? Ko munotadza nei kunzwisisa kuti handisi kutaura nezvechingwa. Chenjererai mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” Ipapo vakabva vanzwisisa kuti akanga asingavataurire kuchenjerera mbiriso yechingwa asi yedzidziso yavaFarisei neyavaSadhusei. Jesu paakasvika kudunhu reSezariafiripi, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti ndiJohani Muombeki vamwewo vachiti ndiEriya, vamwewo vachiti ndiJeremiya kana kuti mumwe wavaporofita.” Akazoti kwavari, “Ko imi, munoti ndini ani?” Simoni Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu chaiye Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga. Zvino ini ndinoti kwauri ndiwe Pita uye paruware urwu ndichavakira sangano rangu. Masimba erufu haachazorikuriri. Ndichakupa kii dzoumambo hwedenga. Chose chauchasunga pasi pano chichabva chasungwawo kudenga. Chose chauchasunungura pasi pano chichabva chasunungurwawo kudenga.” Ipapo Jesu akatsindidza vadzidzi vake kuti vasataurire kana munhu zvake kuti ndiye Mesia. Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuratidza vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusaremu achindotambudzika zvikuru zvichibva kuvakuru vakuru navapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu. Pita akamutora ndokutanga kumutsiura achiti, “Mwari haangadaro Tenzi. Hazvimbofa zvakaitika kwamuri izvi.” Jesu akatendeuka akati kuna Pita, “Ndibvirepo, Satani! Uri chipinganidzo, nokuti hausiri kudivi kwaMwari, asi kudivi kwavanhu.” Jesu akataurira vadzidzi vake achiti, “Kana munhu achida kunditevera ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake anditevere, nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu achahuwana. Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvapasi pose, iye achirasikirwa noupenyu hwake. Kana kuti angabvisei chokutsinhanisa noupenyu hwake? Nokuti Mwanakomana womunhu achauya navatumwa vake mumbiri yaBaba vake achizopa munhu nomunhu mubayiro wezvaakaita. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vamwe vamire pano vasingambofi vakaona rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya noumambo hwake.” Mushure memazuva matanhatu, Jesu akatora Pita naJemusi naJohani munun'una wake akavatungamirira mugomo refu vari pachavo. Iye akasandurwa pamberi pavo. Uso hwake hwakapenya sezuva. Hanzu dzake dzakati mbuu kuchena sechiedza. Ndokubva Mosesi naEriya vaonekwa vachitaura naJesu. Pita akati kuna Jesu, “I — i, Tenzi, hakusi kunaka kwazvakaita ikoko kuti tive pano! Kana muchida zvenyu regai ndivake misasa mitatu pano. Mumwe wenyu mumwe waMosesi nomumwe waEriya.” Achiri kutaura kudaro, hero gore rinopenya rakavafukidza; izwi rakabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye, zvikuru, munzwei.” Vadzidzi pavakanzwa izvi vakati kota kota pasi nouso vabatwa nokutya kukuru. Asi Jesu akauya akavabata achiti, “Simukai musatye.” Pavakazosimudza uso havana wavakaona kunze kwaJesu oga. Pavakanga vachiburuka mugomo, Jesu akavatsindidza kuti vasataurire munhu nezvechiratidzo ichocho, kusvikira Mwanakomana womunhu amutswa kuvakafa. Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Ko pamusana pei nyanzvi dzomutemo dzichiti Eriya anofanira kutanga auya?” Iye akati, “Hongu Eriya anofanira kuuya, achizodzorera zvinhu zvose pakare. Asi ndinokutaurirai kuti Eriya akatouya nechekare; asi havana kumuziva. Vakaita paari madiro avo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achatambudzika ari mumaoko avo.” Vadzidzi vakabva vanzwisisa kuti aireva Johani Muombeki. Pavakasvika kumhomho yavanhu, mumwe murume akauya kwaari akapfugama pamberi pake achiti, “Tenzi nzwirai tsitsi mwanakomana wangu nokuti anorwara netsviyo uye anotambura zvikuru. Kazhinji kaanowira mumoto uye kazhinji kaanowira mumvura. Ndamuunza kuna vadzidzi venyu asi havana kugona kumurapa.” Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi rusingatendi uru! Rudzi rwakarasika zvarwo. Ndichange ndinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Uyai naye kuno kwandiri.” Jesu akamukarira, mweya wakaipa ukabva wabuda maari. Mukomana akabva arapwa pakarepo. Vadzidzi vakauya kuna Jesu vari pachavo voga. Vakati, “Ko isu tatadza nei kuudzinga?” Iye akati kwavari, “Pamusana perudaviro rwenyu rwudiki nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri dai muine chitendero chakaita setsanga yemastadhi, maigona kuti kugomo iri ibva apo uende apo richibva rabva. Hapana chamainge musingakwanisi.” *** Pavakanga vari pamwechete muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya asi mushure memazuva matatu achamutswa.” Vakabva vasuruvara zvikuru. Pavakasvika kuKapenaumu, vabhadharisi vomutero wehafu yemari yeshekeri vakaenda kuna Pita vakati, “Mudzidzisi wenyu haabhadhari mutero uyu here?” Iye akati, “Hongu.” Paakadzoka kumba, Jesu ndiye akatanga kutaura kwaari achiti, “Unofunga kuti kudii Simoni? Ndavapi vanobvisiswa mutero nomuripo namadzimambo panyika? Vana vavo here kana kuti vamwe zvavo?” Pita paakati vamwe zvavo. Jesu akati kwaari, “Saka vana havabhadhari, handiti? Asi kuti tirege kuvagumbura enda kugungwa undokandamo chirauro utore hove yokutanga inenge yabatwa. Paunozarura muromo wayo uchawana shekeri. Ritore undobhadharira ini newe.” Nenguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Ndiani mukuru kupinda vose muumambo hwedenga.” Jesu akatora mwana akamuisa pakati pavo akati, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kana mukasapinduka muchiva savana vaduku hamumbopinda muumambo hwedenga. Ani naani wose anozvirereka somwana uyu, ndiye mukuru kupinda vamwe vose muumambo hwedenga. Ani naani wose anogamuchira mwana muduku akaita souyu muzita rangu anogamuchira ini. “Aninaani anofurira mumwe wavaduku ava vanotenda mandiri kutadza, zvinotova nani kwaari kuti asungirirwe guyo mumutsipa make agonyudzwa pasi pasi pegungwa. Nhamo ndeyayo nyika pamusana pekufurira kwainoita! Kufuririka kunototi kuitike asi nhamo ndeyake munhu uyo anoita kuti vamwe vafuririke. “Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako ruchikukonzera kutadza rudimbure urwurase. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uri mhetamakumbo pano kukandwa mumoto usingadzimuki narini uina maoko maviri kana kuti tsoka mbiri. Kana ziso rako richikurasisa risvukunure urirase. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu neziso rimwechete pano kukandwa mugomba romoto una maziso maviri. “Nyatsoonai kuti hamushori mumwe wevaduku ava nokuti ndinokutaurirai kuti kudenga vatumwa vavo vanogara vachiona uso hwaBaba vangu vari kudenga. *** “Munofungei, ngatitii munhu ane zana rehwai. Imwe yadzo ikarasika, haasii here dzimwe makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dziri mumakomo achienda kundotsvaka iya yakarasika? Kana akaiwana, zvechokwadi ndinokutaurirai kuti anoifarira kupinda makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dzisina kumborasika. Saizvozvo Baba vangu vari kudenga havadi kuti mumwe wavadiki ava arasike. “Kana hama yako ikakutadzira, enda undotaurirana naye mhosva yake muri moga. Akakuteerera, watodzora hama yako. Asi akaramba kukuteerera, enda kwaari nomumwe kana vaviri kuti zvose zvamunotaura zvitsigirwe noumbowo hwezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana akaramba kuvateerera, pira nyaya iyoyo kusangano. Kana akaramba kuteerera kunyange sangano, mutorei somuhedheni nomuteresi. “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, chose chamuchasunga pasi pano chichasungwawo kudenga. Uye chose chamuchasunungura pasi pano nokudenga chichasunungurwawo. Chimwezve chandinokutaurira, ndechokuti, kana vaviri venyu panyika pano vakawirirana kukumbira chimwe chinhu vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga. Nokuti panenge paungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ini ndiri pakati pavo.” Pita akauya akati kuna Jesu, “Tenzi hama yangu ingandikanganisire kangani ndichiiregerera; tingati kanomwe here?” Jesu akati kwaari, “Handikuti kanomwe asi makumi manomwe akapetwa kanomwe.” Saizvozvo umambo hwedenga hungafananidzwe namambo akanga achida kupedzerana navaranda vake vaiva nezvikwereti naye. Paakatangisa kutaura nezvezvikwereti izvozvo, pakauiswa mumwe kwaari akanga aine chikwereti naye chegumi rezviuru zvemari yamatarenda. Nokuda kokuti akanga asingakwanisi kubhadhara, tenzi wake akati ngaatengeswe pamwechete nomudzimai wake navana nezvose zvaaiva nazvo kuti chikwereti chiripwe. Nezvo muranda uya akagwadama pasi achimuteterera achiti, “Tenzi ndiitireiwo mwoyo murefu. Ndichakudzorerai zvose zvazvo.” Tenzi womuranda uyu akamunzwira tsitsi ndokubva amuti aende zvake ndokumuregerera chikwereti chake chiya. Asi muranda mumwecheteyo paakanga avakubuda, akasangana nomumwe mushandi pamwe naye, akanga ane chikwereti kwaari chezana remari yamadhenari. Akabva amuti dzvi pahuro, achiti, “Ndibhadhare chikwereti changu.” Mumwe muranda uya mumwe wake akati pasi gwadagwa achimuteterera achiti, “Ingondiitirawo mwoyo murefu ndinokudzorera.” Asi iye akaramba ndokuenda ondomuisa mujeri kusvikira abhadhara chikwereti. Vamwe vake, varandawo pamwe naye, pavakaona zvakanga zvaitika, zvakavatsamwisa kwazvo. Vakaenda vakandotaurira tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika. Ipapo tenzi wake akamudaidza, akati kwaari, “Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwereti chose chiya nokuti wakanditeterera. Wanga usingafaniriwo here kunzwira urombo muranda pamwe newe sokukunzwira tsitsi kwandakakuitira?” Tenzi wake akashatirwa akamuendesa kuvarangi mujeri, “Kusvikira abhadhara chikwereti chake chose. Ndizvo zvichaitawo Baba vangu vari kudenga kuno mumwe nomumwe wenyu kana musingaregererani nemwoyo wose.” Jesu paakapedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda mudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. Gurumwandira ravanhu rakamutevera akavaporesa ikoko. Zvino vamwe vaFarisei vakauya kwaari. Vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinobvumirwa here kuramba mukadzi wako pamusana pechikonzero chipi nechipi zvacho?” Jesu akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubvira pakutanga, akavasika vari murume nomukadzi akati, ‘Nechikonzero ichochi murume achasiya baba naamai vake achiva akabatanidzwa nomukadzi wake.’ Vaviri ivavo vachiva nyama imwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chinenge chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.” Ivo vakati kwaari, “Ko Mosesi akazoitirei kuti murume anofanira kupa mukadzi wake tsamba yokumurambisa nayo achibva amuramba.” Iye akati kwavari, “Pamusana pemwoyo yenyu yakaoma, Mosesi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu. Asi kubvira pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Uye ini ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake kunze kokunge aita upombwe achizoroora mumwe anoita upombwe.” Vadzidzi vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro akaita zvinhu pane zvomurume nomukadzi zviri nani kusaroora.” Asi iye akati kwavari, “Havasi vose vanogona kuzvitambira izvozvo asi avo chete vanenge vakatozvipiwa. Nokuti kune vamwe vanoita utsvimborume kubvira chiberekerwo chavo. Vamwe vanoitiswa tsvimborume navanhu. Navamwewo vanosarudza kuva tsvimborume pamusana poumambo hwedenga. Uyo anokwanisa kugashira izvi ngaazvigashire.” Zvino vamwe vanhu vakauisa vana kuna Jesu kuti aise maoko ake pavari achivanamatira. Vadzidzi vakarambidza vanhu ivavo. Asi Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hokudenga ndehwevakaita saivava.” Akaisa maoko ake pamusoro pavo ndokubva aenda. Mumwe murume akauya kwaari achiti, “Mudzidzisi chii chakanaka chandingaite kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko kuti chakanaka chii? Akanaka ariko mumwechete. Kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mitemo.” Iye akati, “Ipi yacho?” Jesu akati, “Inoti, usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema. Remekedza baba naamai vako ugoda mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.” Jaya riya rakati kwaari, “Yose iyi ndakaichengeta. Chimwe chandisina chii.” Jesu akati kwaari, “Kana uchida kuva munhu akaruramisisa, enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga, ugouya wonditevera.” Jaya riya parakazvinzwa rakaenda rasuruvara nokuti rakanga riine zvinhu zvakawanda. Jesu akati kuna vadzidzi vake, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Zvichaoma zvikuru kuti mupfumi apinde muumambo hwedenga.’ Ndinotizve kwamuri, zvirinyore kuti nghamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vadzidzi pavakanzwa izvi vakashamiswa zvikuru vachiti, “Ko zvino ndiani angagone kuponeswa?” Jesu akavatarisa akati kwavari, “Kuvanhu, izvi hazvigoneki asi pana Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.” Ipapo Pita akapindura achiti, “Tarisai muone, isu takasiya zvose tikakuteverai. Zvino tichawanei?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Pakumutsurudzwa kwezvinhu patsva, Mwanakomana womunhu paanenge ogara pachigaro chake chembiri, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri. Munhu wose akasiya dzimba kana vakoma navanun'una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda pamusana pezita rangu, achagamuchira zvakapetwa kazana uye achizowana upenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisira vachava vokutanga.’ ” Umambo hwedenga hwakaita sasamusha akafumoenda kundotsvaka vashandi vokushanda mumunda wake wamagirepisi. Akawirirana navashandi mari yapazuva yedhenari, ndokuvatuma kumunda wake wamagirepisi. Akazobudazve paawa yechipfumbamwe mangwanani akaona vamwe vakamira zvavo pamusika. Akavati, “Imi endaiwo mumunda wamagirepisi. Ndichakupaiwo zvinokodzera.” Saizvozvo vakaenda. Akazobudazve paawa yegumi nembiri masikati neawa yechitatu masikati akaita zvimwechetezvo. Panguva inenge yechishanu zuva ravakuda kudoka akabuda akaona vamwe vakamira zvavo. Iye akati kwavari, “Ko munodarirei kungomira zvenyu kudai zuva rose musina chamuri kuita?” Vakati kwaari, “Nokuti hapana atitora kuti atipewo basa.” Iye akati, “Nemiwo endaiwo mumunda wamagirepisi.” Kumanheru muridzi womunda wamagirepisi akati kuno mutariri wake, “Chidaidza vashandi uvape mibayiro yavo utangise novokupedzisira uchigumisira nevokutanga.” Vaya vakapiwa basa paawa yechishanu manheru pavakauya, mumwe nomumwe wavo akagamuchira mubayiro wapazuva uya wedhenari. Vokutanga vaya pavakauyawo, vakafunga kuti vachagamuchira yakawanda, asi mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhenari. Pavairigamuchira vakanyunyutira saimba uya vachiti, “Ava vokupedzisira vashanda kweawa imwechete chete asi imi mavaenzanisa nesu, isu tabinduka zuva rose tichipiswa nezuva.” Asi iye akapindura mumwe wavo achiti, “Shamwari, handisi kukutadzira. Hauna kubvumirana neni here mubayiro wemari yedhenari? Iwe ingotora yako uende. Ndini ndasarudza zvangu kupa uyu wokupedzisira yakaenzana neyandakupa. Handibvumirwi here kuita madiro nezvinhu zvangu kana kuti une shanje nemwoyochena wangu here? Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, vokutangawo vachava vokupedzisira.” Jesu paakanga achikwira kuJerusaremu akatora vadzidzi gumi navaviri pachavo voga. Vari panzira akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Mwanakomana womunhu achaturirwa mumaoko avapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo. Vachamutongera rufu, vachimuisa mumaoko evechirudzi kuti anyombwe nokurohwa zvakanyanya achizorovererwa pamuchinjikwa asi iye achamutswa nezuva retatu.” Amai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari nevanakomana vavo vakapfugama pamberi pake vakaisa chichemo chavo. Jesu akavati, “Munodeiko?” Ivo vakati kwaari, “Itai kuti, muumambo hwenyu, vanakomana vangu ava vaviri vagare vakati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” Jesu akapindura achiti, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munogona here kunwa mukombe wamatambudziko wandichanwa.” Vakati kwaari, “Tinogona.” Iye akati kwavari, “Kunwa mukombe wandichanwa, muchaunwa, asi zvokugara kurudyi rwangu nokuruboshe rwangu handisini ndinozvipa, asi ndokweavo vakakugadzirirwa naBaba vangu.” Vamwe gumi vaya pavakazvinzwa vakashatirirwa mukoma nomunun'una vaya. Jesu akavadaidza akati kwavari, “Munozviziva imi kuti vatongi vechirudzi, pakutonga, vanoita zvomukundo uye vakuru vakuru vavo vanoita zvechisimba. Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, anofanira kuva muranda wenyu. Kunyange Mwanakomana womunhu, haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira vamwe uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.” Jesu navadzidzi vake pavakanga vavakubuda muJeriko vakateverwa negurumwandira ravanhu. Havo varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ari kupfuura nepo vakadaidzira vachiti, “Tinzwireiwo tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi.” Vanhu vazhinji vaya vakavatsiura vachivataurira kuti vanyarare, asi ivo vakatonyanya kudaidzira vachiti, “Tenzi Mwanakomana waDhavhidhi tinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akavadaidza achiti, “Chii chamunoda kuti ndikuitirei?” Ivo vakati kwaari, “Tenzi, itai kuti maziso edu azaruke.” Jesu akavanzwira tsitsi akabata maziso avo. Pakarepo, ndokubva vava kuona vakamutevera. Zvavakanga vavakusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage, pagomo reMiorivhi. Jesu akatuma vadzidzi vaviri achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi muchasvikowana dhongi rakasungirirwa nomwana waro Asunungurei muuye nawo kwandiri. Kana mumwe munhu akataura chinhu kwamuri, mutaurirei kuti, ‘Tenzi anoada uye achaadzosa nokukurumidza.’ ” Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa nomuporofita achiti, “Taurirai mukunda, guta reZioni, kuti, tarira uone Mambo wako ari kuuya kwauri akazvininipisa, akatasva padhongi, padhongwana mwana wedhongi.” Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga vataurirwa naJesu. Vakaunza dhongi nemwana waro. Vakawaridza hanzu dzavo pamadhongi aya, Jesu akabva atasva. Vanhu vazhinji vegurumwandira riya vakawaridza hanzu dzavo mumugwagwa. Vamwe vakakwanhura masanzu emiti vachiawarira mumugwagwa. Gurusvusvu ravanhu vaiva mberi nevaimutevera vaidaidzira vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. Hosana kumusorosoro.” Paakapinda muJerusaremu, guta rose rakanyanduka richiti, “Ndiani uyu?” Vanhu vazhinji vakati, “Uyu ndiye muporofita Jesu wokuNazareti yokuGarirea.” Jesu akapinda muTemberi yaMwari akadzinga vakanga vachitengesa nokutenga muTemberi. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. Akati kwavari zvakanyorwa zvichinzi, “Imba yangu ichanzi imba yokunamatira. Asi imi muri kuiita bako ramakororo.” Mapofu nemhetamakumbo vakauya kwaari muTemberi akavarapa. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo pavakaona zvinaniso zvaakaita navana vaduku vaidaidzira muTemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi” vakashatirwa. Vakati kwaari, “Uri kunzwa here zviri kutaurwa navava.” Jesu akati kwavari, “Hongu, asi hamuna kumboverenga here kuti: “ ‘Mumiromo yavapwere navanoyamwa, makaburitsa kurumbidza kwakanakisisa.’ ” Jesu akavasiya akabuda muguta akaenda kuBhetania akagarako. Mangwanani paakanga ava kudzokera kuguta kuya, akanzwa nzara. Paakaona muonde parutivi penzira akaenda pauri. Hapana chaakawana pauri kunze kwamashizha chete. Akati kwauri, “Usazombofa wakabereka muchero zvakare.” Muonde wakabva wauna pakarepo. Vadzidzi pavakazviona vakashamiswa vachiti, “Ko muonde uyu wauna sei pakare pakarepo kudai?” Jesu ndokuvapindura achiti, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Kana muine chitendero uye musingakahadziki hamuiti chete zvaitika kumuonde asi kunyange mukati kugomo iri simudzwa ukandwe munyanza zvichaitwa. Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato, muchazvigashira kana muine chitendero.’ ” Paakapinda muTemberi, vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakauya kwaari paakanga achidzidzisa, vakati: “Unoita zvinhu izvi nesimba raani uye ndiani akakupa simba irori?” Jesu akavapindura achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai mubvunzo. Kana mukandipa mhinduro, ini ndinobva ndakutauriraiwo kuti ndinoita izvi nesimba raani. Ruombeko rwaJohani rwakabvepi, kudenga here kana kuvanhu?” Vakataurirana vachiti, “Kana tikati rwakabva kudenga, iye achati kwatiri ko makaregerei kutenda kwaari? Kana tikati rwakabva kuvanhu tinotya uzhinji hwavanhu. Nokuti vose vanoti Johani aiva muporofita.” Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Iye akati kwavari, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani. “Munofunga kuti kudii? Mumwe murume aiva navanakomana vaviri, akaenda kuna wokutanga wacho akati, ‘Mwanangu, enda nhasi undoshanda mumunda wamagirepisi.’ Iye akapindura achiti, ‘Handidi,’ asi pashure akazozvidzora akaenda. Akaenda kune wechipiri akataura zvimwechetezvo. Mwanakomana akapindura achiti, ‘Ndinoenda changamire,’ asi haana kuenda. Pakati pavaviri ava ndoupi akaita zvaidiwa nababa vake?” Ivo vakati, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi, ndinoti kwamuri, vateresi nepfambi vachakutangirai kupinda muumambo hwaMwari. Nokuti Johani akakuunzirai gwara roururami asi imi hamuna kutenda maari asi vateresi nepfambi vakatenda maari. Kunyange pamakazviona hamuna kutendeuka muchitenda kwaari. “Teererai munzwe mumwe muenzaniso. Kwaiva nomumwe saimba akarima munda wamagirepisi ndokuukomberedza noruzhowa. Akacheramo guvi rokusvinira waini. Akavakawo nharire ndokuupa kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimubhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika. Nguva yomuchero payakanga yava kusvika, akatuma varanda vake kuna vaya vaishandisa munda wake kuti awanewo muchero wake. Vaishandisa munda wake vaya vakabata varanda vake, mumwe vakamurova, mumwe vakamuuraya, mumwe vakamutaka namabwe. Akatumazve vamwe varanda, vakatowanda kupinda vokutanga vaya. Vakaita zvimwechetezvo kwavari. Mushure mezvo akatuma mwanakomana wake kwavari achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ Vaya vaishandisa munda pavakaona mwanakomana uya vakati pachavo, ‘Uyu ndiyeka mugari wenhaka, uyai timuuraye tizotora nhaka yake.’ Vakamutora vakamukanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamuuraya. Saizvozvo, kana muridzi womunda wamagirepisi akauya achaitei kune vokushandisa munda wake vaya?” Ivo vakati kwaari, “Achaparadza vanhu vakaipa ava norufu rwakaipisisa, achazopa munda wamagirepisi iwoyo kuna vamwe vokuti vaushandise vachimubhadhara vachimupa michero panguva yayo.” Jesu akati kwavari, “Hamuna kumboverenga here muMagwaro Matsvene kuti, ‘Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova romusimboti rapakona? Uku kuita kwaTenzi uye kunotishamisa zvikuru.’ Naizvozvo, ndinoti kwamuri umambo hwaMwari muchahutorerwa huchipiwa kuno rudzi runobereka muchero yaho.” *** Vapristi vakuru navaFarisei pavakanzwa mienzaniso yake, vakazviona kuti aireva ivo. Vaida kuti vamusunge asi vakatya uzhinji hwavanhu nokuti vaimutora somuporofita. Jesu akataurazve kwavari nemienzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafanidzwe namambo akaitira mwanakomana wake mabiko omuchato. Akatuma varanda vake kundodaidza avo vakanga vakokwa kumabiko omuchato; asi havana kuda kuuya. Akatumazve vamwe varanda achiti indotaurirai vakakokwa vaya kuti, ‘Onai, ndagadzirira mabiko angu, ndabaya mombe, ndikabaya zvimhuru zvangu zvakakora. Zvose zvagadzirirwa. Chiuyai kumabiko omuchato.’ Asi ivo havana kumboita hanya nazvo, vakabva vatoenda zvavo, mumwe kupurazi yake, mumwe kushawo yake. “Vamwewo vakatobata varanda vake vakavafumura vakavauraya. Mambo akashatirwa akatumira masoja ake akaparadza mhondi idzodzo. Akapisa guta ravo. Akazoti kuvaranda vake, ‘Muchato wagadzirirwa asi vaya vakakokwa vanga vasina kukodzera. Saka endai pamharadzano dzemigwagwa mundokoka kumabiko omuchato vose vamunenge makwanisa kuwana.’ Varanda vaya vakafamba nemigwagwa vakakokorodza vose vavakakwanisa kuwana, vakanaka navakaipa. Saizvozvo zimba romuchato rakazara navakanga vakokwa. “Mambo paakauya kuzoona vaeni, akaona imomo mumwe munhu akanga asina hanzu yomuchato. Akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina hanzu yomuchato?’ Akabva aomerwa nerokutaura. Mambo akati kuna vashandi vake, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande murima rokunze.’ ” Ikoko vanhu vachachema nokurumanidza mazino. Nokuti vazhinji vanodaidzwa asi vashoma ndivo vanosarudzwa. VaFarisei vakaenda vakandoita musangano kuti vangamubate sei mukutaura kwake. Vakatuma kwaari vadzidzi vavo pamwechete nevechikwata chokwaHerodhi vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi uye kuti munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi musingatyi munhu nokuti hamunei nechigaro chino munhu. Saka tiudzei kuti munofungei, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza kana kuti kwete?” Jesu akaziva uipi hwavo akati, “Munondiedzereiko nhai imi vanyengedzi? Ndiratidzei mari yacho yamunotera nayo mutero.” Vakamuunzira mari chena yainzi dhenari. Jesu ndokuti kwavari, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” Vakati, “NdezvaSiza.” Iye ndokuvati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, mupewo zvaMwari kuna Mwari.” Pavakazvinzwa zvakavashamisa vakamusiya voenda zvavo. Pazuva rimwechetero, vaSadhusei vakauyawo kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka kwavakafa hakuna. Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akati kana murume akafa asina vana munun'una wake anofanira kumugara nhaka kuti aberekere mukoma vana. Zvino pakati pedu kwaiva navarume, mukoma nomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora akafa asina kuita vana. Akasiya mukadzi wake kumunun'una wake. Ndizvozvowo zvakaitika kune wechipiri newechitatu kusvika kune wechinomwe. Mushure mavo vose, mukadzi uya akafa. Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mukadzi woupi pavanomwe ivava nokuti akambova wavo vose zvavo?” Jesu akavapindura achiti, “Munokanganisa, nokuti hamuzivi Magwaro Matsvene uye simba raMwari. Nokuti pakumuka kwavanhu kubva kuvafi, havazoroori kana kuroorwa. Asi vanenge vaita savatumwa vokudenga. Pane zvokumuka kwavakafa hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari kwamuri achiti, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu naMwari Isaki, naMwari Jakobho. Haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu?’ ” Uuzhinji hwavanhu pahwakazvinzwa hwakashamiswa nechidzidziso chake. VaFarisei pavakanzwa kuti akapwisa vaSadhusei, vakaungana. Mumwe wavo aiva, gweta, akamubvunza mubvunzo wokumuedza achiti, “Mudzidzisi ndoupi murao mukuru mumutemo?” Jesu akati kwaari, “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana naiwo unoti, ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ Mirao miviri iyoyi ndiyo misimboti yemitemo yose navaporofita.” VaFarisei pavakanga vakaungana, Jesu akavabvunza mubvunzo achiti, “Munofungei nezvaKristu? Mwanakomana waani?” Vakati kwaari, “Mwana waDhavhidhi.” Iye akati kwavari, “Ko sei Dhavhidhi, afemerwa naMweya Mutsvene, anomuti Tenzi paanoti, “ ‘Tenzi akati kuna tenzi wangu gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?’ Ko zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Tenzi,’ ko angave Mwana wake sei?” Hapana akagona kumupindura kana izwi zvaro. Uyewo kubvira pazuva iroro hapana akazofemerazve kumubvunza mibvunzo mimwe. Jesu akati kuhuzhinji hwavanhu uye kuna vadzidzi vake, “Nyanzvi dzomutemo navaFarisei vagere pachigaro chaMosesi saka itai nokuchengeta zvose zvavanokuudzai asi kwete zvavanoita nokuti ivo havaiti zvavanoparidza. Vanotakudza vanhu mitoro isingatakuriki vachiisa pamafudzi avanhu asi ivo pachavo havadi kuibata kana nomune wavo zvawo. Zvavanoita zvose, vanozviita kuti vaonekwe navanhu nokuti vanopamhamisa tubhokisi twavo twemitemo nokurebesa mhaswa dzapahanzu dzavo. Vanoda nzvimbo dzapamusoro pamabiko nezvigaro zvakanakisisa mumasinagogu, nokukwaziswa pamisika nokudaidzwa navanhu kuti mudzidzisi. Musadaidzwe kunzi mudzidzisi nokuti mune mudzidzisi mumwechete, uye imi mose munongova hama nehama. “Musadaidze munhu kuti baba vako panyika nokuti muna Baba mumwechete ari kudenga. Musadaidzwe kunzi murairidzi nokuti mune murairidzi mumwechete, Kristu. Mukuru pakati penyu ndiye achava mushandiri wenyu. Uyo anozvikudza achadukupiswa. Uyewo anozvidukupisa achakudzwa. “Zvichakuwanai zvenyu imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, vanyengedzi nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga. Imi hamupindemo uye hamubvumiri vanenge vachida zvavo kupindamo. *** Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, vanyengedzi, munoyambuka makungwa muchidimuranisa masango kundopindutsa munhu mumwechete oga. Kana apinduka munomuita kuti ave munhu wokumoto muzhinji kakatopetwa kaviri kupinda imi. Zvichakuwanai zvenyu, imi mapofu avatungamiri, munoti, ‘Kana munhu akapika neTemberi, hazvina mhosva, asi munhu akapika nendarama yomuTemberi anosungirwa kuchengeta chitsidzo chake.’ Mazirema zvawo amapofu. Ko chikuru chiiko ipapa, ndarama kana kuti Temberi inoita kuti ndarama ive chinhu chinoera? Uye munoti, ‘Kana munhu akapika neatari, hazvina mhosva asi munhu akapika nechipo chiri paatari anosungirwa kuchengeta chitsidzo chake!’ Mapofu avanhu! Chii chikuru chipo kana kuti atari inoita kuti chipo chive chinoera? Saizvozvo uyo anopika neatari anopika nayo uye nazvose zviri pairi; uye munhu anopika neTemberi anopika nayo uye anopikawo nouyo anogara mairi. Uyowo anopika nedenga, anopika nechigaro chaMwari choumambo uye anopikawo naiye anogara pachiri. “Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei imi, vanyengedzi, nokuti munobvisa chegumi chetunhu tunonhuwirira tudikidiki twemindi nedhiri nekamini asi muchisiya zvinhu zvikuru zvomutemo, nezvoruenzaniso nezvetsitsi nechitendero. Izvi ndizvo zvamaifanira kuita musingaregi zvenyu zvimwe izvozvo. Mapofu avatungamiriri! Munotsutsa unyunyu asi muchimedza ngamera. “Zvichakuwanai zvenyu imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati muzere nezvinhu zvokupamba nezvoudyire. “Iwe bofu romuFarisei, tanga washambidza mukati momukombe nendiro kuti kunze kuve kwakachenawo. “Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, makafanana namakuva akadzururwa kuti mbuu nesuko. Anoratidzika zvakanakisa kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nokuora kose. Nemiwo, kunze, munotaridzika savanhu vakarurama kuvanhu asi mukati muzere nokubata vanhu kumeso uye uipi. Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo navaFarisei, imi vanyengedzi, munovaka makuva avaporofita muchishongedza zvifananidzo zvavanhu vakarurama. Muchiti, ‘Dai takanga tiri vapenyu pamazuva amadzibaba edu, tingadai tisina kubatana navo mukudeura ropa ravaporofita.’ Naizvozvo muri kutopa umboo hunokurovererai kuti imi muri vana vemhondi dzakauraya vaporofita. Saka chipedzisaika musvike paiva neshungu dzamadzibaba enyu. Imi nyoka dzavanhu navana venyoka, muchapunyuka sei kutongerwa moto muzhinji? Nokudaro ndichakutumirai vaporofita navachenjeri nenyanzvi dzomutemo. Vamwe muchauraya zvenyu nokuroverera pamuchinjikwa. Vamwe vavo muchavarova zvikuru mumasinagogu muchivatambudza muguta neguta, kuti mupfukirwe neropa rose ravakarurama rakadeurwa pasi pose kubvira kuropa risina mhaka raAbhero kusvika kuropa raZakaria mwanakomana waBharakiya wamakauraya pakati penzvimbo inoera neatari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Zvose izvi zvichawira chizvarwa chino ichochi.’ “Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uye uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai. Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako pamwechete sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo, asi makaramba. Chiona imba yako yasiiwa yava dongo. Nokuti ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ” Jesu paakanga achibva muTemberi avakuenda, vadzidzi vake vakauya kwaari vachimunongedzera dzimba dzeTemberi. Asi iye akapindura achiti, “Muri kuona zvose izvi handiti, zvechokwadi ndinoti kwamuri hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe risingazokoromotserwa pasi.” Paakanga akagara pagomo roMuorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga pachavo vachiti, “Tiudzei, zvichaitika rinhi izvi uye chii chicharatidza kuti mavakuuya, uyewo kuti nyika yava kuguma?” Jesu akavapindura achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake. Nokuti kuna vazhinji vachauya nomuzita rangu vachiti ndini, ‘Kristu.’ Vacharasisa vazhinji. Muchanzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo. Musanyanye kutya zvenyu. Izvi zvinofanira kuti zviitike asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe humambo. Kuchava nedzinzara nokundengendeka kwapasi munzvimbo dzakasiyana — siyana. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka. Vachakupinzai mudambudziko vachikuurayai. Muchavengwa namarudzi ose pamusana pezita rangu. Vazhinji vachakoromoka pakutenda kwavo. Vachacherana vachivengana. Pachamuka vaporofita venhema vachizorasisa vanhu nzira. Nokuda kokuti uipi hunenge hwawanda, rudo rwavazhinji ruchatonhora. Asi uyo anotsungarara kusvikira kumagumo achaponeswa. Shoko iri Rakanaka roumambo richaparidzwa pasi pose souchapupu kumarudzi ose. Ndipo panozouya kuguma. “Naizvozvo kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chakarehwa nomuporofita Dhanieri chamira munzvimbo inoera (anoverenga ngaanzwisise.) Ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Uyo anenge ari pamusoro pemba ngaarege kuburikira pasi kuti andotora zviri mumba make. Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jasi rake. Hameno zvavo vanenge vaina pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. Namatai kuti kutiza kwenyu kusave panguva yechando kana kuti pazuva reSabata. Nokuti kuchava nenhamo huru isati yamboitika kubvira pakutanga kwapasi kusvikira pari zvino uye hazvichazombofa zvakaitikazve. Dai kuri kuti mazuva iwayo haana kutapudzwa, hapana munhu aiponeswa, asi pamusana pavakasarudzwa, mazuva iwayo achatapudzwa. “Ipapo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu kana kuti ari koko,’ musazvidavire nokuti kuchamuka vana Kristu vamanyepo navaporofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti vatsautse, kana zvakwanisika, kunyange vasarudzwi. Chionai kuti ndakutaurirai zvisati zvaitika. Naizvozvo kana vakati kwamuri, ‘Hoyo ari murenje, musabude muchiendako. Kana vakati ari mudzimba dzomukati’ musazvitenda. Sokuvaima kunoita mheni kubva kumabvazuva kusvika kumadokero ndiko kuuya kuchaita Mwanakomana womunhu. Pane chitunha, magora ndipo paanoungana. “Nhamo yamazuva iwayo ichangobva mukupera, zuva richaora, mwedzi uchisvipa uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga. Masimba omumatenga achazungunutswa. Ndipo pachaonekwa mudenga chiratidzo choMwanakomana womunhu. Marudzi apasi pose achaungudza. Vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore edenga aine simba nembiri huru. Iye achatuma vatumwa vake nehwamanda inorira kwazvo. Vachakokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika kusvikawo kwayakaperera rumwe rutivi. “Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvose, zivai kuti iye ava padyo, atova pamusuo chaipo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri, zvinhu izvi zvisati zvaitika. Denga napasi zvichapera asi mazwi angu haambopfuuri. “Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vedenga, kanawo Mwanakomana asi Baba voga. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Sapamazuva iwayo, mafashamo emvura asati auya, vanhu vaidya nokunwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavatsvaira vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Pavarume vaviri vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa. Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa. Nezvo rindirai nokuti hamuzivi kuti Tenzi wenyu anouya zuva ripi. Asi zivai izvi zvokuti dai saimba aiziva nguva yousiku ichauya nayo mbavha aigaririra. Haairega imba yake ichipazwa. Saizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingamutarisiri. “Ndoupi zvino muranda wakatendeka uye akangwara anoiswa pabasa natenzi wake rokutarira vomumusha make kuti avape zvokudya zvavo nenguva kwayo? Akakomborerwa muranda uyo anoti kana tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo. Zvechokwadi, ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo. Asi kana muranda uya akaipa, achizviti mumwoyo, ‘Tenzi wangu anonoka,’ iye wotanga kurova vamwe varanda naye, achidya nokunwa nezvidhakwa; tenzi womuranda uyu achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi, omuranga achimuisa pamwechete navanyengedzi, ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino. “Umambo hwedenga huchafananidzwa navasikana vane gumi vakatora marambi avo vakaenda kundochingura muwani. Vashanu vavo vakanga vasina kungwara, vamwe vashanuwo vakanga vakangwara. Vakanga vasina kungwara vaya, pavakatora marambi avo, havana kutakura mamwe mafuta. Asi vakachenjera vakatakura zvigubhu zvamafuta pamwechete namarambi avo. Muwani paakanonoka vakanzwa hope ndokubva vakotsira. Pakati pousiku pakaridzwa mhere yokuti, ‘Muwani wouya, budai mumuchingure.’ Vasikana vaya vose vakamuka vakabatidza marambi avo. Vasina kungwara vakati kuna vakangwara, ‘Tipungurireiwo mafuta enyu nokuti marambi edu ava kuda kudzima.’ Asi vakangwara vakapindura vachiti, ‘Pamwe haangazotikwanira isu nemi. Zvirinani kuti muende kuna vanotengesa mundozvitengera.’ Pavakanga vaenda kundotenga, muwani ndiye vhu kusvika. Vaya vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumabiko omuchato. Gonhi ndiye dhwa kuzarirwa. Mushure mezvo, vamwe vasikana vaya vakauya vachiti, ‘Tenzi, Tenzi tizarurireiwo.’ Asi iye akapindura achiti, ‘Zvechokwadi ndinoti kwamuri handikuzivii. Naizvozvo garirirai nokuti hamuzivi zuva kana nguva yacho.’ “Ndinodaro nokuti umambo hwedenga huchaita somunhu akanga ava kuenda kurwendo akadaidza varanda vake akaturira kwavari zvinhu zvake. Akapa mumwe wavo mari yematarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwechete, munhu nemunhu achipiwa maererano nezvaaikwanisa kuita. Ndokubva aenda zvake. Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu akabva aenda pakarepo akandoita mhindu nayo, akaita mari yamamwe matarenda mashanu. Ndizvozvowo zvakaita akapiwa mari yamatarenda maviri, akawana imwe mari yamatarenda maviri. Asi uya akagamuchira mari yetarenda rimwechete akaenda akandoricherera pasi akaviga mari yatenzi wake. Mumashure menguva ndefu, tenzi wavaranda vaya akauya akagadzirisana nezvemari yake navo. Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu, akauya kwaari namamwe matarenda mashanu achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda mashanu, haano matarenda mamwe mashanu andakashava.’ Tenzi wake akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki, ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni tenzi wako.’ Uya akapiwa mari yamatarenda maviri akauyawo achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda maviri heino imwe mari yematarenda maviri yandakashava.’ Tenzi wake akamuti, ‘Hauchionaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni Tenzi wako.’ Uyawo akagamuchira mari yetarenda rimwechete akauyawo akati, ‘Changamire, ndakazviziva kuti muri munhu akaoma. Imi munokohwa pamusina kudyara. Munounganidza pamusina kumbokusha. Ndakatya, naizvozvo ndakaenda ndikandoviga mari yenyu pasi. Hei mari yenyu.’ Tenzi wake akamupindura achiti, ‘Iwe uri muranda wakaipa, nyope yomunhu. Heya waitozviziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kurima, ndichiunganidza pandisina kukusha? Saka waifaniraka iwe kunge wakaisa mari yangu muBhangi. Pandainge ndauya ndaizowana mari yangu nemari yayainge yabereka. Saka mutorerei mari iyoyo yetarenda muipe kune ane gumi remari yamatarenda. Nokuti uyo anazvo anotopamhidzirwa zvimwe achitova nezvakatowanda — wanda asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achatorerwa. Uye muranda uya asina maturo mukandei kunze kurima. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.’ “Kana Mwanakomana womunhu wouya nembiri yake pamwechete navatumwa vose, achagara pachigaro chake choumambo chinembiri. Marudzi ose avanhu achaunganidzwa pamberi pake. Iye achaparadzanisa vanhu, mumwe nomumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi hwai nembudzi. Achaisa hwai kurudyi rwake, mbudzi achidziisa kuruboshwe. “Ipapo Mambo achati kuna vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makakomborerwa naBaba vangu, muwane nhaka youmambo yamakagadzirirwa kubvira pakutangisa kwapasi nokuti ndakanga ndiine nzara mukandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri muenzi mukandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukandipfekedza. Ndakanga ndichirwara mukandishanyira. Ndaiva mujeri mukauya kwandiri?’ “Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa? Ndirini watakakuonai muri muenzi tikakugamuchirai kana kuti musina chokupfeka tikakupfekedzai? Ndirini watakakuonai muchirwara kana kuti muri mujeri tikakushanyirai?’ “Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’ “Ipapo achati kuna vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makarengererwa rushambwa mupinde mumoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake, nokuti ndakanga ndiine nzara mukasandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukasandipa chokunwa. Ndaiva mweni mukasandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukasandipa chokupfeka. Ndairwara uye ndaiva mujeri asi hamuna kundishanyira.’ “Ivo vachapindurawo vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara kana kuti muine nyota kana muri mweni kana musina chokupfeka kana kuti muchirwara kana kuti muri mujeri tikasakuitirai chinhu.’ Iye achavapindura achiti, ‘Zvechokwadi chaizvo zvamusina kuzviita kuno mumwe wavadiki ava, hamuna kuzviita kwandiri?’ “Ava vachaenda kuchirango chisingaperi asi vakarurama vachienda kuupenyu usingaperi.” Jesu paakapedza kutaura zvose izvi akati kuna vadzidzi vake, “Munoziva kuti mumashure memazuva maviri, Pasika iri kusvika. Mwanakomana womunhu achaturirwa kuti arovererwe pamuchinjikwa.” Vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakaungana mumuzinda womupristi mukuru ainzi Kaifasi. Vakaita bangano rokuti vasunge Jesu zvomuchivande vagomuuraya asi vakati kwete pamazuva makuru nokuti pangadaro pakaita bongozozo pakati pavanhu. Jesu paakanga ari kuBhetania ari mumba maSimoni wamaperembudzi. Kwakauya mumwe mukadzi nechinu chamafuta okuzora anokosha kwazvo chearabhasita. Akadururira mafuta acho mumusoro maJesu paakanga agere pakudya. Vadzidzi pavakazviona vakagumburwa nazvo vachiti, “Kurasa mari kudai!” Nokuti mafuta aya angadai atengeswa nemari yakawanda kwazvo ikapiwa kuvarombo. Jesu achizviziva, akati kwavari, “Ko munonetserei mukadzi uyu? Inga aita chinhu chakanakisisa wani kwandiri. Varombo munavo nguva dzose wani asi ini hamuneni nguva dzose. Nokudira kwaaita mafuta aya pamuviri wangu, aita izvi kundigadzirira kuvigwa kwangu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kuchaparidzwa shoko rakanaka iri, pasi pose, zvaaita zvichataurwa sechinhu chokumuyeuka nacho.” Zvino mumwe wavane gumi navaviri ainzi Judhasi Isikarioti akaenda kuvapristi vakuru akati, “Muchandipa chii kana ndikamuturira kwamuri.” Vakamubhadhara makumi matatu emari yesirivha. Kubvira ipapo Judhasi akanga achitsvaka nguva yokuti amutengese nayo. Pazuva rokutanga rechingwa chisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti, “Ndokupi kwamungade kuti tindokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” Iye akati, “Endai muguta panhingi mundoti kwaari, Mudzidzisi ati, ‘Nguva yangu yasvika. Pamba pako ndipo pandichadyira Pasika navadzidzi vangu.’ ” Vadzidzi vakaita sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naJesu. Vakagadzirira Pasika. Ava manheru, Jesu akagara pakudya navadzidzi gumi navaviri. Pavakanga vachidya akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu achanditengesa.” Vakabva vasuruvara kwazvo vakatanga mumwe nomumwe kutaura kwaari vachiti, “Ndini here Tenzi?” Jesu akavapindura achiti, “Uyo aseva mundiro neni, ndiye achanditengesa.” Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu. Zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake. Judhasi, uyo akazomutengesa akati, “Ndini here mudzidzisi?” Jesu akati kwaari, “Inga wazvireva oga wani.” Zvavakanga vari pakudya, Jesu akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kuvadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda ndokuupa kwavari achiti, “Unwei mose nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva rinodeurirwa vazhinji kuti varegererwe zvitadzo. Ndinokutaurirai kuti handichazonwazve waini yomugirepisi kusvikira pazuva randinozonwa waini itsva nemi muumambo hwaBaba vangu.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda vakaenda kugomo roMuorivhi. Jesu akati kwavari, “Mucharasiswa mose pamusana pangu usiku huno nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi danga rehwai rigopararira.’ Asi kana ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.” Pita akamupindura achiti, “Vamwe vose vangarasiswe zvavo pamusana penyu asi ini handimborasika.” Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Pita akati kwaari, “Kunyange zvikanzi ndife nemi handimbokurambai.” Ndizvo zvakataurwawo navamwe vadzidzi vose. Jesu akaenda navo kune imwe nzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano ini ndimboenda uko ndimbondonamata.” Akatora Pita navanakomana vaviri vokwaZebhedhi akabva atanga kudumbirwa nokutambura. Akazoti kwavari, “Ini ndadumbirwa zvikuru zvokunge ndichafa. Sarai pano murindire pamwechete neni.” Jesu akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi nouso akanamata achiti, “Baba vangu, kana zvichigoneka, mukombe uyu wamatambudziko ngaundipfuure asi kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.” Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi nyama yaneta.” Jesu asudurukazve akanamata achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingakwanisi kundipesa ndichifanira kuunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” Akauyazve akavawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru. Jesu akavasiyazve, akaenda akandonamata rwechitatu achitaura mazwi mamwechetewo. Akadzokazve kuna vadzidzi vake akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu muchitozorora nhai? Tarirai muone kuti nguva yatosvika yavakuturirwa Mwanakomana womunhu mumaoko avatadzi. Chisimukai tiende, houno anonditengesa wavakusvika.” Paakanga achiri kutaura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri akasvika, nechikwata chikuru chavanhu vaine mapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru navakuru — vakuru vavanhu. Mutengesi uya akanga avapa chiratidzo chokuti uyo wandinenge ndatsvoda ndiyeyo, mubatei. Judhasi akabva auya pana Jesu akati, “Tikukwaziseika, Mudzidzisi,” akabva amutsvoda. Jesu akati kwaari, “Shamwari, ingoita zvawavinga.” Vakabva vauya vakati Jesu dzvi kumubata. Ipapo mumwe wavakanga vaina naJesu akatambanudza ruoko rwake ndiye bakatwa rake wee ndokuvaura kudimura nzeve yomuranda womupristi mukuru. Jesu akamuti, “Dzosera bakatwa rako panzvimbo paro nokuti vose vanoshandisa bakatwa vanofa nebakatwa. Unofunga here kuti handikwanisi kukumbira Baba vangu, vachinditumira pakarepo zvikwata zvavatumwa zviuru gumi nezviviri. Ko zvino Magwaro Matsvene anozozadzikiswa sei anoti zvinofanira kuti zvive saizvozvo?” Panguva iyoyo Jesu akati kuzvikwata zviya zvavanhu, “Nhaimi, mauya kuzondibata segororo, muina mapakatwa netsvimbo? Zuva nezuva ndaigara muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata. Asi izvi zvaitika kuti Magwaro Matsvene avaporofita azadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya votiza. Vaya vakabata Jesu vakaenda naye kuna Kaifasi, mupristi mukuru, kwakanga kwaunganwa nenyanzvi dzomutemo navakuru — vakuru. Asi Pita akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvanze rwomupristi mukuru. Akapinda akagara pamwechete namapurisa kuti aone pazvinoperera. Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwenhema hokunenedzera Jesu kuti vamuuraye asi vakahushaya kunyange zvazvo vazhinji vakamupupurira zvenhema. Pokupedzisira vaviri vakauya mberi vakati, “Munhu uyu akati ndinokwanisa kupaza Temberi yaMwari ndichiivaka namazuva matatu.” Ipapo mupristi mukuru akasimuka akati, “Hauna mhinduro here? Ko mhosva dzaurikupomerwa navanhu ava ndedzei?” Asi Jesu akaramba akanyarara. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ini ndinoti pika naMwari mupenyu utiudze kuti ndiwe Mesia here Mwanakomana waMwari?” Jesu akati kwaari, “Ko inga matozvireva kare moga wani uye ndinokutaurirai kuti kubvira zvino muchatoona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari pamakore okudenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura hanzu dzake ashatirwa achiti, “Ashonha Mwari. Tichadirei zvapupu? Manzwa moga kushonha kwake Mwari. Ko munoti kudii nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa.” Vakamusvipira mate kumeso, vachimurova. Vamwe vakamurova nembama vachiti, “Porofitaka tinzwe nhai iwe Mesia kuti akurova ndiani.” Pita akanga agere panze muruvanze, mumwe musikana webasa akauya kwaari akati, “Newewo wanga uina Jesu wokuGarirea.” Asi Pita akazviramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura.” Paakaenda kumusuo woruvanze, mumwewo musikana webasa akamuona. Akati kune vakanga vamirepo, “Murume uyu akanga ana Jesu weNazareti.” Akazvirambazve achitopika achiti, “Handizivi munhu uyu.” Kwapera chinguvana, vakanga vamirepo vakauya vakati kuna Pita, “Zvechokwadi iwe uri mumwe wavo nokuti mutauriro wako unokubatisa.” Pita akatanga kuzvirengerera rushambwa achitopika achiti, “Handizivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rakabva rakukuridza. Pita akayeuka zvakanga zvarehwa naJesu zvokuti, “Uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Pita akabuda panze akahwihwidza kuchema zvinosiririsa. Kuzoti kwaedza vapristi vakuru vose navakuru — vakuru vavanhu vakaita bangano rokuti vauraye Jesu. Vakamusunga ndokuenda naye vakandomuturira kuno mutongi Pirato. Judhasi, uya akamutengesa, paakaona kuti Jesu atongerwa rufu akatendeuka akadzorera mari iya yesirivha makumi matatu kuvapristi vakuru navakuru — vakuru achiti, “Ndakatadza nokutengesa kwandakaita ropa risina mhaka.” Ivo vakati, “Ko isu tinei nazvo. Ndezvako izvo.” Judhasi akakanda mari iya yesirivha muTemberi akabva aenda ondozvisungirira. Asi vapristi vakuru vakatora mari iya yesirivha vakati, “Hazvisi pamutemo kuti tiise mari iyi mudura remari yomuTemberi nokuti imari yeropa.” Saizvozvo vakarangana vakatenga nayo munda womuumbi wehari kuti vagosivigamo vatorwa. Naizvozvo munda iwoyo unonzi “Munda weropa.” Nanhasi uno. Ndipo pakazadzikiswa zvakataurwa nomuporofita Jeremiya achiti, “Vakatora mari yesirivha makumi matatu waiva mutengo wakatemwa navaIsiraeri wokumutenga nawo. Ndiyo mari yavakatenga nayo munda womuumbi wehari sokunditaurira kwakaita Tenzi.” Jesu akamira pamberi pomutongi. Mutongi akamubvunza kuti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati, “Inga matozvireva kare wani.” Asi paakapomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru — vakuru, haana kupindura. Ipapo Pirato akati kwaari, “Hausikunzwa here kuwanda kwezvinhu zvavari kukupomera?” Asi iye haana kumupindura kunyange mhosva imwechete zvayo zvokuti mutongi zvakamukatyamadza zvikuru. Zvino pamazuva makuru aya mutongi aiva netsika yokusunungurira vanhu musungwa mumwechete wavainge vada. Ipapo vakanga vaino musungwa aive nomukurumbira ainzi Bharabhasi. Saizvozvo vanhu pavakanga vaungana, Pirato akati kwavari, “Ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei, Bharabhasi here kana kuti Jesu anonzi Kristu?” Akadaro nokuti aiziva kuti vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje. Chimwezve ndechokuti paakanga agere pachigaro chokutonga, mudzimai wake akatumira shoko kwaari achiti, “Siyanai nomunhu uyo wakarurama nokuti nhasi ndatambudzika naye zvikuru kuhope.” Vapristi vakuru navakuru — vakuru vakagombedzera vanhu kuti vakumbire Bharabhasi asi Jesu aparadzwe. Mutongi akatizve kwavari, “Pavaviri ava ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Ivo vakati, “Bharabhasi.” Pirato akati kwavari, “Ko ndoitei naJesu anonzi Kristu?” Vose vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati, “Nemhaka yei? Akapara mhosva yei? Akatadzei?” Asi vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato paakaona kuti hapana zvazviri kubatsira asi kuti pavakutomuka bongozozo, akatora mvura akageza maoko ake pamberi pemhomho iyoyo achiti, “Handina mhosva paropa romunhu uyu. Chizvionerai moga iyemi.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngaritipfukire isu navana vedu.” Akavasunungurira Bharabhasi. Asi ndokurova Jesu zvikuru akamuturira mumaoko avo kuti vamuroverere pamuchinjikwa. Masoja aPirato akaenda naJesu mumuzinda waGavhuna. Boka rose ramasoja rakamuunganira. Vakamupfekenura hanzu vakamupfekedza gemenzi dzvuku. Vakaruka chiremba cheminzwa vakachidzika mumusoro make. Vakamubatisa rutsanga murudyi rwake. Vaipfugama pamberi pake vachimusveeredza vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate vakatora rutsanga ruya vachimurova narwo mumusoro. Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa gemenzi riya vakamupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. Pavakanga vakubuda, vakasangana nomumwe murume wokuSairini ainzi Simoni. Vakamanikidza murume iyeyo kutakura muchinjikwa waJesu. Pavakasvika panzvimbo inonzi Gorogota zvinoreva kuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakasanganiswa nenduru kuti anwe. Paakairavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange. Vakagara pasi vachimuchengetedza ipapo. Nechapamusoro vakaisa chiga chemhosva yake chaiti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Ipapo makororo maviri akarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye, mumwe ari kurudyi mumwe kuruboshe. Vanhu vaipfuura nepo, vakamuseka vachidzungudza musoro vachiti, “Ndiweka unogona kuputsa Temberi uchiivaka namazuva matatu, chizviponeseka kana uri Mwanakomana waMwari buruka pamuchinjikwa.” Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vakamunyombawo vachiti, “Akaponesa vamwe asi haaagoni kuzviponesa. Ndiyeka mambo wavaIsiraeri. Ngaaburuke pamuchinjikwa iye zvino tigotenda maari. Anovimba naMwari. Ko iye Mwari ngaachimuponesaka kana achimuda nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Kunyange makororo aya akanga akarovererwa naye akamunyombawo nenzira imwecheteyo. Kubvira paawa yegumi nechipiri, masikati nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati. Neawa inenge yechitatu masikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eri Eri rama sabhakitani” zvinoreva kuti, “Mwari wangu Mwari wangu mandisiireiko.” Vamwe vakanga vakamirapo pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu ari kudaidza Eriya.” Mumwe wavo, pakarepo, akamhanya akatora chifovefove ndokuchinyika muwaini inovava kusvika chazara. Akachibairira parutsanga akamupa kuti anwe. Asi vamwe vakati, “Mirai tione kuti Eriya achauya kuzomuponesa here.” Jesu akadaidzira zvakare nezwi guru ndokubva afa. Hero jira romuTemberi rokudzikatirisa rakabva rabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvika pasi. Nyika yakandengendeka; matombo akatsemuka. Makuva akazaruka. Vanhu vazhinji vakafa vatsvene vakamutswa. Vakabuda mumakuva mushure mokumuka kwake. Vakapinda muguta dzvene vakaonekwa navazhinji. Mutungamiriri wezana ramasoja navaakanga ainavo vachichengetedza Jesu, vakaona kundengendeka nezvakanga zvaitika vakabatwa nokutya kukuru vakati, “Zvechokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” Pakangawo paina madzimai mazhinji ipapo akanga akatarisa ari chinhambwe, akanga atevera Jesu kubva Garirea achimushandira. Pakati pavo paiva naMaria Maghadharena naMaria amai Jemusi naJosefi namai vavanakomana vaZebhedhi. Ava manheru kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatia ainzi Josefi aivawo mudzidzi waJesu, akaenda kuna Pirato akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akati ngachipiwe kwaari. Josefi akatora chitunha ndokuchiputira mufuko rakachena. Akachiradzika muguva rake idzva raakanga azvichezera mudombo. Akakungurutsira dombo guru pamusuo weguva iroro ndokuenda zvake. Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakanga varipo vakagara pakatarisana neguva iroro. Ramangwana racho, ndiro zuva romushure mezuva rokugadzirira Sabata, vapristi vakuru navaFarisei vakaungana kuna Pirato vakati, “Changamire, tinoyeuka kuti munyengedzi uya paakanga achiri mupenyu akati, ‘Mushure memazuva matatu ndichamukazve.’ Naizvozvo itii guva richengetedzwe kusvika pazuva retatu. Vadzidzi vake vangadaro vakaenda vakamuba vakazotaurira vanhu kuti amuka muvakafa. Kunyengedza kokupedzisira uku kungazova kwakatoipa kupinda kokutanga.” Pirato akati kwavari, “Ko inga muna masoja wani. Endai mundochengetedza sokuziva kwenyu.” Saizvozvo vakaenda vakanyatsochengetedza guva iroro vakaisa micherechedzo padombo iroro wokuti harina kubatwa — batwa nomunhu ndokuisa vokupachengetedza. Zvino kuzoti Sabata rapfuura, mambakwedza ezuva rokutanga revhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakaenda kuguva. Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro. Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando. Mapurisa aya akadedera nokumutya vakati papata sokunge vafa. Asi mutumwa akati kumadzimai, “Imi musatye henyu nokuti ndinoziva kuti murikutsvaka Jesu akaroverwa pamuchinjikwa. Haapo pano nokuti amuka sezvaakareva. Uyai muone paanga arere. Zvino chiendai nokukurumidza mundoudza vadzidzi vake kuti amuka muvafi. Arikufanokutungamirirai kuGarirea. Muchamuona ikoko. Hezvoka ndakutaurirai.” Nokudaro vakabva paguva nokukurumidza zvabatana nokutya nokufara kukuru. Vakamhanya kundoudza vadzidzi vake. Jesu akabva asangana navo akati, “Kwaziwai” ivo vakauya kwaari vakabata tsoka dzake vachimugwadamira. Jesu akati kwavari, “Musatye. Chiendai mundotaurira hama dzangu kuti dziende kuGarirea. Ndiko kwavachandiona ikoko.” Madzimai aya pavakanga vachienda, mamwe mapurisa aya akaenda muguta akataurira vapristi vakuru zvose zvakanga zvaitika. Vakaita dare navakuru vakuru ndokuita zano rokupa masoja chitsama chakati kuti chemari vachiti, “Taurirai vanhu kuti vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu takakotsira.” Izvi zvikanzwika munzeve dzagavhuna, isu ndisu tichapedzerana naye kuti murege kuva nechinokutambudzai. Saizvozvowo vakatora mari iya vakaita sezvavakanga vataurirwa. Rungano urwu rwakaparidzirwa muvaJudha kusvika pari nhasi. Vane gumi nomumwechete vakaenda kuGarirea, kugomo ravakanga vataurirwa naJesu. Pavakamuona vakamugwadamira asi vamwe vakanga vasina chokwadi nazvo. Jesu akauya akati kwavari, “Simba rose pasi nokudenga rakapiwa kwandiri. Naizvozvo endai mundodzidzisa marudzi ose avanhu muvaombeke muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene muchivadzidzisa kuchengeta zvose zvandakuudzai. Uye tarisai muone, ndinemi nguva dzose kusvikira kuguma kwapasi.” Uku ndiko kutanga kweShoko Rakanaka raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, sokunyorwa kwazvakaitwa muna Isaya muporofita zvichinzi, “Chiona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako, ichagadzirira nzira yako. Izwi reanodaidzira ari murenje, achiti, ‘Gadzirirai mugwagwa waTenzi, ruramisai nzira dzake.’ ” Kurenje kwakazova naJohani aiombeka, achiparidza ruombeko rwokuti vanhu vapinduke varegererwe zvitadzo zvavo. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusaremu vakakotonokera kwaari vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo. Johani aipfeka nguwo yemvere dzengamera, aine bhande reganda muchiuno chake. Aidya hwiza nouchi hwomusango. Aiparidza achiti, “Mushure mangu muri kuuya ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kukotama ndichisunungura rukanda rweshangu dzake. Ini ndakuombekai nemvura asi iye achakuombekai naMweya Mutsvene.” Zvino pamazuva iwayo Jesu akauya achibva kuNazareti yokuGarirea akaombekwa naJohani muna Jorodhani. Achangoti budei mumvura, akaona matenga achizaruka naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva. Izwi rakabva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo, anondifadza zvikuru.” Pakarepo Mweya akamuendesa kurenje. Akagara murenje mazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Imomo aingova nemhuka dzomusango, asi vatumwa vakanga vachimushandira. Kuzoti Johani asungwa, Jesu akaenda Garirea kundoparidza Shoko Rakanaka raMwari achiti, “Nguva iya yazokwana zvino, umambo hwaMwari hwava pedyo. Chipindukai mutendhe Shoko Rakanaka.” Jesu akati achipfuura napagungwa reGarirea akaona Simoni naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi mugungwa nokuti vaiva vabvuvi vehove. Jesu akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai kuti muve vabvuvi vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera. Kuzoti angoti fambe — fambei zvishoma, akaona Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa ravo vachigadzira usvasvi. Pakarepo Jesu akavadaidza; ivo vakasiya baba vavo Zebhedhi navashandi vari mugwa, vakatevera Jesu. Zvino vakazosvika muKapenaumu. Zvarakanga ravaSabata, Jesu akapinda musinagogu akadzidzisamo. Vanhu vakashamiswa kwazvo norudzidziso rwake nokuti aidzidzisa somunhu ane chiremera, kwete senyanzvi dzoMutemo. Ipapo musinagogu mavo maiva nomunhu aiva nomweya wetsvina. Akazhamba achiti, “Ko, tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva kuti ndiwe ani, ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Nyarara, buda maari!” Mweya wetsvina uya wakamupfurupfutisa ndokuridza mhere uchibva wabuda maari. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Ko, chiiko ichi? Chidzidziso chitsvasu! Anotaurira kunyange mweya yetsvina ichimuteera.” Mukurumbira wake wakabva wapararira kwose kwose, munharaunda yose yeGarirea. Zvino ivo pakarepo vakabva vabva pasinagogu vakandopinda mumba mavanaSimoni naAndireya vaina Jemusi naJohani. Zvino vambhuya vaSimoni vakanga varere muviri wavo wakanga uchipinda chando. Vakabva vataurira Jesu nezvavo. Jesu akaenda akavabata ruoko ndokuvasimudza, denda ndokubva ravasiya, ivo ndokuvashandira. Zvino kuzoti ava manheru, zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vachirwara kana vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Guta rose rakaungana pamusuo. Jesu akaporesa vazhinji vaiva namatenda akasiyana — siyana, achidzingawo mweya yakaipa mizhinji; akanga asingabvumiri mweya yakaipa iyoyo kuti itaure chinhu nokuti yakanga ichimuziva. Mangwanani — ngwanani, kuchiri kutema, Jesu akamuka akabuda achienda kunzvimbo isina vanhu kwaakandonamata ikoko. Simoni navamwe vaiva naye vakazotevera vachimutsvaka. Kuzoti vamuwana, vakati kwaari, “Vanhu vose vari kukutsvakai.” Ipapo Jesu akati kwavari, “Handeyi kumwe, kuna maguta ari pedyo ndigondoparidzawo ikoko, nokuti izvi ndizvo zvandakavinga.” Nokudaro akafamba neGarirea yose achiparidza mumasinagogu avo, achidzingawo mweya yakaipa. Kwakazouya kwaari munhu aiva namaperembudzi achimuteterera, akapfugama achiti, “Kana muchida henyu munogona kundiporesa nokundichenura.” Zvino Jesu akamunzwira tsitsi ndokutambanudza ruoko rwake kwaari omubata, ndokuti kwaari, “Ndinoda, chipora uchenurwe.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera, akabva achenurwa. Zvino Jesu akamutsindidza akamuendesa pakarepo achiti kwaari, “Uone kuti usataurire kana ani zvake; asi enda undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako sezvakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.” Asi munhu uya paakangoti budei, akatangisa kuparidzira zvinhu pachena achimwaya kwose kwose nyaya iya zvokuti Jesu haana kuzokwanisa kupinda zviri pachena muguta ripi zvaro. Akatenge ogara kunzvimbo dzisina vanhu, asi vanhu vakauya kwaari vachibva kumativi ose. Kwakangoti pfuurei mazuva akati kuti, akapindazve muKapenaumu. Zvakazonzwika kuti ave pamba. Vanhu vazhinji vakaungana zvokuti pakanga pasisina kana nekanzvimbo kose kakasara, kunyange napamusuo pose; iye akanga achivaparidza shoko. Vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga akatonhora mitezo akatembedzanwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye paari, pamusana pokuwanda kwavanhu, vakaita buri padenga remba nechapamusoro pake. Pavakanga vaita gwanza vakadzikisa uvato huya hwakanga hurere munhu akatonhora mitezo. Jesu, paakaona chitendero chavo, akati kumunhu akatonhora mitezo, “Mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.” Ipapo dzimwe nyanzvi dzoMutemo dzakanga dzigeremo dzakazviti nechomumwoyo. “Ko, seiko uyu achitaura achidai? Ari kushonha Mwari! Ndiani angagone kuregerera zvitadzo kunze kwaMwari oga?” Pakarepo, Jesu zvaakazviziva kuti vaifunga zvakadai mukati mavo, akavati, “Ko munofungireiko zvinhu zvakadai mumwoyo menyu? Chakareruka ndechipi kuti kumunhu akatonhora mitezo, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka utore uvato hwako ufambe.’ Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo.” Akati kuno munhu akatonhora mitezo uya, “Ndinoti kwauri, ‘Simuka utore rukukwe rwako uende kumusha.’ ” Pakarepo munhu uya akati kwanyanu kusimuka, akatora rukukwe rwake akabuda vose vachiona, zvokuti vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari vachiti, “Aiwaiwa, hatisati tamboona zvakadai kwete.” Zvino Jesu akabvapo oendazve pedyo negungwa, gungano ravanhu rakauya kwaari akavadzidzisa. Zvino akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo agere pahofisi yomutero akati kwaari, “Nditevere.” Iye akasimuka ndokumutevera. Zvino paakanga agere pakudya mumba maRevhi, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake nokuti vaimutevera vakanga vakawanda. Dzimwe nyanzvi dzoMutemo dzebato ravaFarisei padzakamuona achidya navatadzi navateresi, dzakati kuvadzidzi vake, “Seiko mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” Jesu paakazvinzwa akati kwavari, “Vakukutu havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodaidza vakarurama, asi vatadzi.” Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisei vakanga vachitsanya. Vanhu ndokuuya kwaari ndokuti, “Seiko vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisei vachitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?” Jesu akati kwavari, “Mungati vanhu vari pamuchato ngavatsanye here iye muwani vachinaye? Kana muwani vachinaye chete havatsanyi. Asi mazuva achauya achabviswa muwani pavari, pazuva iroro ndipo pavachazotsanya. Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru; kana akadaro, chiremo chitsva chinobvarura hanzu tsaru, ikabva yanyanya kubvaruka. Hakuna munhu anodira waini itsva muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru, nokuti kana akadaro waini inoputisa zvigubhu, waini inorasika, zvigubhu zvichiparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muzvigubhu zvitsva.” Zvino Jesu akati achipfuura nomuminda yekoroni uri musi weSabata; vadzidzi vake, vachifamba kudaro, vakatangisa kupurura hura dzekoroni. VaFarisei vakati kwaari, “Tarisai muone! Ko, vanoitireiko zvisingabvumirwi nomusi weSabata?” Akavapindura achiti, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi, zviya zvaakanga asina chokudya, oziya nenzara iye navaiva naye, kupinda kwaakaita mumba yaMwari, apo Abhiyatari akanga ari mupristi mukuru akadya zvingwa zvakasumwa kuna Mwari, zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kunze kwavapristi voga akapawo vaaiva navo?” Jesu ndokuti kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kusikirwa Sabata, kwete. Saka Mwanakomana womunhu ndiMambo kunyange weSabatawo.” Zvino Jesu akapindazve musinagogu; imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. Vaivamo vakamutarisisa vachida kuona kuti achamuporesa here nomusi weSabata kuti vamupe mhosva. Ipapo Jesu akati kumunhu woruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire apa,” ndokuvati, “Ko, zvinobvumirwa here nomusi weSabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa; kuponesa munhu kana kuuraya?” Ivo vakati zi — i kunyarara. Zvino iye akaringa — ringa achivatarisa nehasha, achisiririswa nokuomarara mwoyo kwavo, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye ndokutambanudza, ruoko rwake rukabva rwatwasanuka. VaFarisei vakabudamo kundomurangana pakarepo neveboka rokwaHerodhi kuti vangamuuraye sei. Jesu akabvapo navadzidzi vake oenda kugungwa; chitawo chikuru chavanhu vaibva kuGarirea chakatevera uyewo vanhu vakauya kwaari vachibva kuJudhea neJerusaremu, neIdhumia; nokumhiri kwaJorodhani nokunharaunda yeTire neyeSidhoni, chita chikuru chavanhu vakanga vanzwa zvose zvaaiita. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vafanomugadzirira igwa duku kuti arege kuzomanikwa nouzhinji hwavanhu. Sezvo akanga aporesa vazhinji, vose vakanga vaine zvirwere vaitsikinyidzana vachida kumubata. Uye mweya yakaipa payaingomuona yaizviwisira pasi pamberi pake ichidaidzira ichiti, “Iwe, uri Mwanakomana waMwari.” Asi Jesu aiikohomedza kuti irege kuzivisa vanhu kuti iye ndiani. Zvino Jesu akakwira mugomo ndokudaidza vaaida, ivo ndokuenda kwaari. Akasarudza gumi navaviri kuti vagochigara naye achivatuma kundoparidza, uyezve kuti vave nesimba rokudzinga mweya yakaipa. Vaiti, Simoni, waakapa rimwe zita rokuti Pita, kwouya Jemusi mwana waZebhedhi naJohani munun'una waJemusi vaakapa zita rokuti Bhoanerigesi, zvinoreva kuti vanaKutinhirasemheni kwozoti Andireya, naFiripi, kwouyawo Bhatoromeo, naMateu, kwozoti Tomasi, naJemusi, mwana waArifeo, uyewo Tadheusi naSimoni muKananai Nyashungu, uyewo ndokuzoti Judhasi Isikarioti uya akazomupandukira. Jesu akaenda kumba; gurumwandira ravanhu ndokubva ramuunganirazve, zvokuti vakatadza kana kudya chaiko. Zvino hama dzake padzakazvinzwa, dzakauya kuzomutora nokuti zvainzi, “Wava kupenga.” Uyezve nyanzvi dzoMutemo dzakabva Jerusaremu dzaiti, “Akagarwa naBheerizebhuri, uye kuti anodzinga mweya yakaipa nesimba rejinda remweya yakaipa.” Ipapo Jesu akadaidza vanhu ndokutaura kwavari nemienzaniso, achiti, “Nhaimi, Satani angadzinge Satani seiko? Kana umambo hwavakuzvirwisa, umambo ihwohwo haungagoni kumira. Kana vemba imwechete vorwisana pachavo, imba iyoyo haigoni kumira. Zvino kana iye Satani ava kuzvirwisa, haangagoni kumira, asi kuti avakutoenda kumagumo ake. Hakuna munhu angapinde mumba merume rine simba kuti aripambe zvinhu zvaro kusatoti atanga arisunga ndokuzopamba zvemba yaro. “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvitadzo zvose nokushonha Mwari kwose kunoregererwa vanhu. Asi ani naani anoshonha Mweya Mutsvene haachazomboregererwa chitadzo chake; achava nemhosva yechitadzo chinoramba chiripo narini wose.” Akadaro nokuti vakati, “Ane mweya wakaipa.” Zvino amai vake uye vakoma navanun'una vake vakauya vakamira panze ndokutumira munhu kundomudaidza. Vanhu vazhinji vakanga vagere pasi vakamukomberedza, vakati kwaari, “Amai venyu uye vakoma navanun'una venyu vari panze vari kukudai.” Iye akavapindura achiti, “Ko, amai vangu navakoma navanun'una vangu ndavanaani?” Ndokuringa — ringa vaya vakanga vagere vakamukomberedza, ndokuti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu. Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mukoma nomunun'una neni, ndiye hanzvadzi naamai vangu.” Jesu akatangazve kudzidzisa ari pedyo negungwa. Mhomho huru yavanhu yakamuunganira, zvokuti akatokwira mugwa ogaramo iro riri mugungwa kudaro. Gungano rose ndokuti chechetere pamucheto wegungwa. Akavadzidzisa zvinhu zvakawanda nemienzaniso. Achinokuvadzidzisa kudaro akati kwavari, “Teererai munzwe, Mukushi akaenda kundokusha mbeu. Paakanga achikusha dzimwe mbeu dzakandowira munzira, shiri ndokuuya dzikadzidya. Dzimwe dzakandowira parukangarahwe padzakashaya ivhu rakadzika; dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika. Kuzoti zuva rakwira dzakapiswa nezuva, sezvo dzakanga dzisina midzi, dzakashwauruka. Dzimwe mbeu dzakandowira muminzwa; minzwa yakakura ikadzivhunga dzikasaita vana. Dzimwewo dzakandowira muvhu rakanaka dzikamera dzikakura ndokuberekana, dzimwe ndokuita makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu dzimwewo zana.” Akazoti, “Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Kuzoti ava oga, vakanga vanaye pamwechete navane gumi navaviri vakamubvunza nezvemienzaniso. Iye ndokuti kwavari, “Imi makapiwa zvakavanzika zvoumambo hwaMwari asi kune vokunze zvose zvinopiwa nemienzaniso, kuti, “Kutarisisa vatarisise zvavo asi vasina zvavanoona. Kuteerera vateererese zvavo asi vasinganzwisisi nokuti vangadaro vakapinduka vakazoregererwa.” Ipapo Jesu akati kwavari, “Ko, hamuna kunzwisisa muenzaniso uyu here? Ko zvino muchazonzwisisa sei mienzaniso yose. Mukushi anomwaya izwi. Vari munzira munokushwa izwi, ndivo vaya vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya obvisa izwi rakushwa mavari. Ndizvozvo zvimwechete navakakushwa parukangarahwe, vanoti kana vanzwa izwi vanobva varigamuchira pakarepo norufaro; asi havana midzi mavari, vanongovapo kwechinguvana chete. Zvino kana dambudziko nokushushirwa izwi zvauya vanobva vatsauka pakarepo. Vanokushwa muminzwa ndivo vaya vanonzwa izwi, asi kuzvidya mwoyo nezvapasi pano nokutorwa mwoyo noupfumi, uyezve ruchiva rwezvimwe zvinhu, zvinopinda zvovhunga izwi, rokundikana kubereka michero. Vakakushwa muvhu rakanaka ndivo vaya vanonzwa shoko nokurigamuchira nokubereka michero, dzimwe makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe zana.” Akatizve kwavari, “Ko mwenje unounzirwa kuti ukwidibirwe nedengu here kana kuti uiswe pasi pomubhedha here? Handiti kuti ugoiswa pachidzimikiro? Chinhu chose chakavanzika chakavanzirwa kuti chizoburitswa pachena; hakunawo chinhu chakavigwa chisingazobudi pachena. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Akati kwavari, “Nyatsochenjerai zvamuri kunzwa: chiereso chamunoera nacho, ndicho chamuchaererwawo nacho, uye muchapamidzirwa. Nokuti uyo anazvo achawedzerwa, nouyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa.” Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakadaizvi, hwakaita somunhu anomwaya mbeu muvhu. Angavate zvake usiku, masikati achimukawo, asi mbeu iya inomera ichitokura, iye asingambozivi kuti zvinoitika sei. Zvinongoitika pachazvo zvoga kuti ivhu rinobereka zvirimwa, pokutanga nhungo, teverei hura, ndokuzouya koroni yakakora pahura dziya. Zvino kana koroni yaibva, anobva apinza jeko kuicheka, nokuti kukohwa kwasvika.” Akatizve, “Umambo hwaMwari tingauenzanise neiko? Uye tingahufananidze nomuenzanisoiko? Hwakaita setsanga yamasitadhi yokuti painodyarwa muvhu, inenge iri duku duku pane mbeu dzose dzapasi pose. Asi kana yadyarwa inokura kwazvo kudarika magwenzi ose. Inoita mapazi makuru, zvokuti shiri dzedenga dzinogona kuvaka matendere adzo mumumvuri wayo.” Nemienzaniso mizhinji yakadai aivataurira izvi maererano nezvavaikwanisa kubata. Haaimbotaura kwavari asingashandisi mienzaniso. Asi pavainge vava voga aizotsanangura zvose kuvadzidzi vake. Kuzoti ava manheru ezuva rakarero akavati, “Ngatichiyambukirai mhiri.” Vakasiya vanhu vazhinji vaya, vakamutora voenda naye ari mugwa sezvaakanga arimo nakare. Kwakanga kuina mamwe magwa aiva naye. Ipapo dutu guru rakamuka, mafungu akaroverera pagwa achipindamo zvokuti igwa rakanga rotoda kuzara nemvura. Asi iye akanga ari mugwa necheshure akakotsira akatsamira pamutsago. Vadzidzi vake vakumumutsa vachiti kwaari, “Mudzidzisi hamuna hanya here kuti tava kupera?” Jesu akamuka akakarira dutu achiti kugungwa, “Nyarara! Udzikame!” Dutu rakati zi — i kunyarara, kukabva kwanyatsoti dzikadzika. Zvino Jesu akati kwavari, “Sei muchitya kudai? Hamuna chitendero here?” Ivo vakabatwa nokutya kukuru, ndokutaurirana vachiti, “Ko uyu ndianiko uyu anoteererwa kunyange nemhepo negungwa?” Vakazosvika mhiri kwegungwa, kudunhu ravaGerasa. Jesu achingobuda mugwa, akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumakuva. Munhu uyu aigara mumakuva. Pakanga pasisina kana nomunhu zvake aigona kumusunga kunyange nengetani, nokuti aimbosungwa namajoti nengetani kazhinji, asi aidambura ngetani nokuita majoti udimbu — udimbu. Naizvozvo kwakanga kusisina aigona kumudzikamisa. Nguva dzose, siku nesikati, ainge ari ikoko kumakuva nomumakomo achingozhambarara uye achizvicheka — cheka namabwe. Paakaona Jesu achiri chinhambwe, akamhanyira kwaari akamupfugamira, ndokuzhamba nezwi guru achiti, “Unei neni, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro. Ndinoti nezita raMwari rega, kunditambudza.” Nokuti Jesu akanga amuti, “Iwe mweya wetsvina, buda mumunhu uyu.” Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akapindura achiti, “Zita rangu ndinonzi Hondo nokuti takawanda.” Akateterera Jesu chaizvo kuti arege kuidzingira kunze kwedunhu iroro. Ipapo paiva nedanga guru renguruve dzakanga dzichifura zvadzo mujinga megomo. Mweya iya yakamuteterera ichiti, “Titumirei zvedu munguruve kuti tipinde madziri.” Akaibvumidza. Mweya yakaipa yakabuda ikandopinda munguruve dziya. Danga rose renguruve dzaikarosvitsa zviuru zviviri dzakati ware dzoteremuka napamawere ndokunoti rove — rove mugungwa kunyuramo. Vafudzi vadzo ndokutiwo ware kutiza vakandotaurira vanhu veguta nevemumaruwa. Vanhu vakauya kuzoona zvakanga zvaitika. Pavakasvika pana Jesu vakaona munhu uya aipoterwa nemweya yakaipa agere zvake, akatosimirawo, pfungwa dzake dzatodzikama, iye uya aiva nehondo yemweya yakaipa, vakabva vatya. Vaya vakanga vazviona vakarondedzera vanhu zvakanga zvaitika kumunhu akanga akapoterwa nemweya yakaipa nezvakaitikawo kunguruve. Ivo vakatanga kukumbira Jesu kuti abve zvake mudunhu ravo. Paakanga ava kupinda mugwa, munhu uya akambenge akapoterwa nemweya yakaipa akamuteterera kuti aende naye. Asi Jesu haana kumubvumira, akatomuti, “Chienda kumusha kwako, kuhama dzako, undodziudza zvawaitirwa naTenzi nokukunzwira tsitsi kwaaita.” Munhu uya akabvapo ndokutanga kuparidza mudunhu reDhekapori zvinhu zvaakaitirwa naJesu. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo nazvo. Zvino kuzoti Jesu ayambukirazve mhiri kwegungwa negwa, vanhu vazhinji vakamuunganira. Akanga ari padyo negungwa. Zvino mumwe wavatungamiri vesinagogu, ainzi Jairosi akasvikapo. Pakuona kwakaita Jesu, akazviwisira patsoka dzake. Akamuteterera kwazvo achiti, “Mwanasikana wangu muduku atova kutandadza. Uyai, muise maoko enyu paari aporeswe, ararame.” Jesu akaenda naye. Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richidzvinyirirana naye. Zvino paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri. Akanga aona nhamo mudzin'anga dzakawanda maaifamba, maakanga apedzera zvinhu zvake zvose asi pasina kana chiyamuro; akatenge otonyanya kurwara. Zvaakanga anzwa nezvaJesu akauya necheshure kwake, ari mukati moruzhinji, ndokusvikobata hanzu yake, nokuti aiti, “Kana ndikangobata kunyange hanzu dzake bedzi, ndichabva ndapora.” Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda, akabva azvinzwa mumuviri wake kuti chirwere charapwa. Pakarepowo Jesu akabva aziva nechomumwoyo kuti simba rabuda maari; akatendeukira mukati megurusvusvu ravanhu achiti, “Ndiani abata hanzu yangu?” Ipapo vadzidzi vake vakati kwaari, “Muri kuona gurusvusvu ravanhu richidzvinyirirana nemi, asi imi moti, ‘Ndiani andibata?’ ” Akaringa — ringa achida kuona kuti akanga aita izvi ndiani. Mukadzi uya, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, zvakanga zvoti kutya, zvikati kungwenda ndokuuya ozviwisira mberi kwake omuudza chokwadi chizere. Iye ndokumuti, “Mukunda, chitendero chako chakuporesa; chienda hako norugare, uyezve chirwere chako ngachipere uve wadi.” Achiri kutaura kudaro, vamwe vakabva kumba kwomutungamiri wesinagogu uya vachiti, “Mwanasikana wenyu atofa. Muchiri kunetserei mudzidzisi?” Jesu paakazvinzwa, akati kumutungamiri wesinagogu, “Regai henyu kutya ingotendai bedzi.” Haana kubvumira vamwe vose kumutevera kusiya Pita, naJemusi, naJohani munun'una waJemusi. Zvino pavakasvika kumba kwomutungamiri wesinagogu, akawana paine mhere mhere kwazvo yokuchema nokuungudza kukuru. Paakapinda akati kwavari, “Seiko muchiita mhere mhere muchichema kudai? Mwana haana kufa kwete, asi akakotsira.” Ivo vakamuseka. Zvino akaburitsa vose panze, akatora baba vomwana naamai vake navaya vaaiva navo, ndokupinda maiva nomwana. Akamubata ruoko ndokuti kwaari, “Tarita kumi,” zvinoreva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri muka.” Pakarepo musikana uya akasimuka, ndokufamba (sezvo akanga ava namakore gumi namaviri). Vanhu vose vakabva vashamiswa zvikuru kwazvo. Jesu akavakohomedza kuti zvirege kuzivikanwa kana nomunhu zvake ndokuvaudza kuti vape musikana chokudya. Jesu akabvapo akaenda kudunhu rokwake; vadzidzi vake vakamutevera. Kuzoti wava musi weSabata, akatanga kudzidzisa musinagogu. Vazhinji vakamunzwa vakashamiswa kwazvo vachiti, “Ko nhaimi, uyu akawanepiko zvinhu izvi? Ko ungwaru hworudziiko hwakapiwa kune munhu uyu? Naizvoka zvishamiso zvaanoita namaoko ake! Ko handiye muvezi here uyu, mwana waMaria, mukomanomunun'una nanaJemusi naJosesi naJudhasi naSimoni. Ko hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Vakabva vamugumbukira. Jesu ndokuti kwavari, “Hakuna kwaasingaremekedzwi muporofita kusara kwomudunhu rokwake, nomukati mehama dzake nomukati mevemba yake.” Haana kuzogona kuita kana nechishamiso zvacho ikoko; akangoisa maoko ake pamisoro yavarwere vashomanana akavaporesa. Akashamiswa kwazvo nokusadavira kwavo. Akapota nemisha achidzidzisa. Akadaidza vane gumi navaviri kwaari ndokutanga kuvatuma vari vaviri vaviri achivapawo simba pamusoro pemweya yetsvina. Akavaudza kuti varege kutakura chinhu parwendo rwavo kusiya tsvimbo chete, varege kutakura chingwa kana tsapo kana mari zvayo mumindya yavo. Shangu vangapfeka zvavo, asi vagorega kupfeka hanzu mbiri. Akatizve kwavari, “Kwose kwose kwamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mazobvako. Panzvimbo ipi neipi pavasingakugamuchirei kana pavasingakuteererei, pakubvapo kwenyu, gumai guruva retsoka dzenyu kuti rive chapupu kwavari.” Nokudaro vakaenda vakandoparidza kuti vanhu vapinduke. Vakadzinga mweya yakaipa mizhinji, vakazorawo varwere vazhinji mafuta, vachivaporesa. Zvino mambo Herodhi akanzwa zvose izvi, nokuti zita raJesu rakanga rava nomukurumbira. Vamwe vaiti, “Johani Muombeki akamutswa muvafi, ndosaka ana masimba akadai maari okuita zvishamiso.” Asi vamwe vaiti ndiEriya, vamwewo vachiti, “Muporofita akangofananawo navamwe vaporofita vakare.” Asi Herodhi, paakanzwa izvi, akati, “Johani uya wandakadimbura musoro ndiye akamutswa.” Nokuti Herodhi uyu akanga atuma vanhu kundobata Johani akamuisa mujeri pamusana paHerodhiasi, mudzimai waFiripi, munun'una wake waakatora. Nokuti Johani aiti kuna Herodhi, “Hazvibvumirwi kuti iwe ugare nomukadzi womunun'una wako.” Ipapo Herodhiasi aiva nedaka naJohani, achida kumuuraya, asi akakoniwa. Pamusana pokuti Herodhi aitya Johani nokuti aiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, aimudzivirira. Zvaimutambudza kwazvo kunzwa zvaaireva asi zvaimufadza kuteerera zvaaitaura. Zvino zuva rakanga rakamirirwa naHerodhiasi rakazosvika nomusi wokupemberera kuberekwa kwaHerodhi. Pazuva iroro, Herodhi akaitira mabiko vakuru — vakuru vehurumende yake navatungamiriri vehondo navakuru — vakuru veGarirea. Mwanasikana waHerodhiasi akapinda akatamba akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye. Ipapo mambo akati kumusikana, “Ndikumbire hako chero chaunoda ndinokupa.” Uyezve akatopika kwaari achiti, “Ukandikumbira chipi nechipi zvacho ndinokupa, kunyange chikava chikamu chepakati nepakati chezvoushe hwangu.” Zvino musikana uya akabuda panze akabvunza amai vake achiti, “Chii chandingakumbire?” Ivo vakati, “Musoro waJohani anoombeka.” Musikana akabva apinda makare nokuchimbidza kuna Mambo ndokukumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino, mudhishi, musoro waJohani Muombeki.” Mambo zvakamurwadza chaizvo, asi nokuda kwemhiko dzake dzaakanga aita, uye pamusana pavaenzi vake, haana kuda kuramba. Pakarepo mambo akatuma musoja wokuchengetedza mambo achimuti auye nomusoro waJohani. Iye akaenda akandomudimura musoro mujeri muya, ndokuuya nawo uri mudhishi, akaupa kumusikana; musikana ndokuupawo kuna amai vake. Zvino vadzidzi vaJohani zvavakazvinzwa, vakaenda, vakatora chitunha chake ndokuchiviga muguva. Zvino vapositori vakadzoka kuna Jesu vachimurondedzera zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa. Ipapo iye akati kwavari, “Chiuyai imi muri moga tiende kunzvimbo isina vanhu mumbozorora.” Nokuti vanhu vazhinji vakarambouya nokuenda zvokuti vakanga vachishaiswa kunyange nenguva yokudya. Vakabvapo negwa ndokuenda pachavo vari voga kunzvimbo isina vanhu. Vanhu vazhinji vakavaona vachienda vakabva vavaziva ndokumhanyirako netsoka vachibva mumaguta ose, vakavatangira kusvikako. Kuzoti Jesu asvikako akaona kuwanda kwavanhu ndokubva avanzwira tsitsi nokuti vakanga vakaita sehwai dzisina mufudzi, ndokutanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji. Kuzoti zvino zuva rarereka, vadzidzi vake vakauya kwaari voti, “Ino inzvimbo isina vanhu uye zuva rarereka iri, chiitai kuti vanhu vaende kumaruwa nokumisha yakapoteredza vandozvitengera zvokudya.” Asi iye akavapindura achiti, “Vapei, iyemi, zvokudya.” Ivo ndokuti kwaari, “Mungati tiende tingondotenga zvingwa zvamazana maviri amadhenari kuti tigozovapa vadye here?” Iye ndokuvati, “Ko mune zvingwa zvingani? Endai mundotarisa.” Kuzoti vazviona, vakati, “Zvishanu nehove mbiri.” Iye akati vanhu vose vagariswe pasi pauswa hunyoro vakaita zvikwata — zvikwata. Vakabva vagara pasi vakaita mapato — mapato, mamwe ezana mamwe emakumi mashanu. Zvino akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga ndokukomborera akamedura zvingwa zviya ozvipa kuvadzidzi kuti vape vanhu. Akavagoverawo vose hove dziya mbiri. Vose vakadya; vakaguta. Vakaunganidza zvimedu zvakasara zvezvingwa nezvehove zvikazadza matengu gumi namaviri. Vakadya zvingwa zviya vaiva varume zviuru zvishanu. Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vakwire mugwa vafanoenda mhiri kuBhetisaidha iye achimboonekana negungano ravanhu riya. Kuzoti apedza kuonekana navo, akakwira mugomo kundonamata. Kuzoti ava madeko, igwa rakanga rava nechapakati pegungwa; iye achiri pavhu pakaoma oga. Akazviona kuti vaishingaira kwazvo nokukwasva, nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Panguva inenge yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa, akaita soopfuurira. Zvavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzimudzangara, ndokubva varidza mhere; nokuti vose vakamuona vakatya kwazvo. Pakarepo akabva ataura navo achiti, “Tsungai mwoyo. Ndini. Musatye.” Akakwira mugwa muya mavaiva, mhepo ndokubva yanyarara. Vadzidzi vake vakashamiswa zvikuru, nokuti havana kunge vanzwisisa nezvezvingwa zviya pamusana pokuti mwoyo yavo yakanga yakaomarara. Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kudunhu reGenesareti ndokusungirira igwa pamahombekombe. Vakati vachibuda mugwa riya vanhu vakabva vangomuziva. Vanhu vakamhanyidzana mudunhu iroro rose. Vakatanga kutakura varwere pauvato hwavo vachienda navo kwose kwavainge vanzwa kuti ndokwaari. Kuri kwose kwaakapinda mumisha, nomumaguta, nomumaruwa, vanhu vaivanzarika varwere pamisika vachimukumbirisa kuti varwere vabate kana mupendero zvawo wehanzu yake. Vose vakaubata vakaporeswa. Zvino vaFarisei vakaunganira Jesu pamwechete nedzimwe nyanzvi dzoMutemo dzakanga dzabva kuJerusaremu. Vakaona kuti vamwe vavadzidzi vake vaidya chingwa namaoko ane tsvina, zvinoreva kuti, asina kushambwa, nokuti vaFarisei navaJudha vose havadyi chinhu vasina kunyatsoshamba maoko avo vachitevedza magamuchidzanwa etsika dzamadzitateguru avo nokuti kana vachinge vabva kumusika havambodya chinhu vasina kushamba. Dziripo dzimwe tsika zhinji dzavakatora kumadzitateguru avo dzavanochengeta sokuti kusuka komichi, nehari, nemidziyo yekopa (nemibhedha). Ipapo vaFarisei nenyanzvi dzoMutemo vakamubvunza vachiti, “Ko vadzidzi venyu vanoregererei kuchengeta tsika dzamagamuchidzwanwa dzamadzitateguru, zvavanodyazve chingwa namaoko ane tsvina?” Akavapindura achiti, “Inga muporofita Isaya akataura chokwadi nezvenyu, imi vanyengedzi, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “ ‘Vanhu ava vanondikudza zvapamuromo chete asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo ndokwonhando nokuti vanodzidzisa sechokwadi chaicho, zvinhu zvakatemwa zvavo navanhu.’ “Munokanda pasi murao waMwari kuti muti dzvemere namagamuchidzanwa etsika dzavanhu.” Akatizve kwavari: “Makanyatsozviwanira nzira yokunzvenga nayo murao waMwari kuti muwane machengetero amagamuchidzanwa etsika dzenyu,” nokuti Mosesi akati, “Kudza baba vako naamai vako uye anotuka baba vake kana amai vake anofanira kutofa.” Asi imi munoti, “Kana munhu akati kuna baba kana kuna amai vake, ‘Chinhu chandingadai ndakuyamurai nacho chave Korobhani’ (zvichireva kuti chipo chasumwa kuna Mwari), hamuzomubvumira kuyamura baba vake kana amai vake. Nokudaro munoita kuti shoko raMwari rive chinhu pasina, pamusana pamagamuchidzanwa etsika dzenyu amunogamuchidzana; munoitawo zvimwe zvizhinji zvakafanana nezvizvi.” Akadaidza zvakare chita chavanhu ndokuti kwavari, “Nditeererei munzwe mose munzwisise. Hapana chinhu chinobva kunze kwomunhu chichipinda maari chinogona kumun'oresa asi zvinobva mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. (Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.)” Paakanga apinda mumba, abva zvino pavanhu, vadzidzi vake vakamubvunza nezvomuenzaniso uyu. Iye ndokuti kwavari, “Heya kana nemiwo hamunzwisisi nhai? Hamuoni here kuti chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze hachigoni kumun'oresa nokuti hachipindi mumwoyo make, asi mudumbu make chichizobva chorasirwa kunze?” (Nokudaro akachenura zvokudya zvose.) Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. Nokuti imomo mumwoyo yavanhu, ndimo munobva pfungwa dzakaipa, nounzenza, nokuba, nokuuraya, noupombwe, noruchiva nomwoyo wakaipa, nounyengedzi nokusazvibata, neshanje, nokushonha Mwari nokuzvikudza noupenzi. Zvakaipa zvose izvi zvinobva mukati, uye zvinon'oresa munhu.” Jesu akazobvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni akapinda mune imwe imba asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu, asi haaigona kuvanzika. Asi kutoti pakarepo mumwe mudzimai aiva nomwana wake musikana muduku akanga ano mweya wakaipa, akanzwa nezvake akauya ndokuzviwisira patsoka dzake. Mudzimai uyu aiva muGiriki worudzi rweSirofonikia. Akamukumbira kuti adzinge mweya wakaipa waiva mumwanasikana wake. Iye ndokuti kwaari, “Regai vana vatange vaguta; nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira imbwanana.” Asi iye akamupindura achiti, “Hongu zvazvo Tenzi, inga wani kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya hurubvurubvu hwechingwa chavana.” Iye ndokumuti, “Pamusana pezvawataura izvi chienda zvako; mweya wakaipa watobva mumwanasikana wako.” Mudzimai uya akabva aenda kumba kwake akasvikowana mwana avete pamubhedha mweya wakaipa wabva maari. Zvino Jesu akabva mudunhu reTire akapfuura nomuSidhoni achinanga kugungwa reGarirea; akaenda napakati penyika yeDhekaporisi. Vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari matsi asingagoni kunyatsotaura. Vakamuteterera kuti aise ruoko rwake paari. Iye akamutora parutivi kubva kuruzhinji rwavanhu voenda pavo voga. Akapinza minwe yake munzeve dzake; akapfira mate ndokubata rurimi rwake. Ipapo akatarisa kudenga ndokutura befu oti kwaari, “Efata,” zvichireva kuti, “Dziuka.” Pakarepo nzeve dzake dzakabva dzadziuka, kadzita korurimi rwake rakabva kasununguka, ndokubva ava kugona kutaura zvakanaka. Akavatsindidza kuti vasataurire izvi kuna ani zvake. Asi sokunyanya kutsindidza kwaakavaita, vakabva vatonyanyawo kuzviparidzira. Vanhu vakashamiswa chaizvo vachiti, “Akaita zvakanaka zvinhu zvose zvaakaita. Anoita kuti kunyange vamatsi vanzwe nembeveve dzitaure.” Namazuva iwayo gungano guru ravanhu parakaungana zvakare, uye vakanga vasisina chokudya akadaidza vadzidzi vake akati kwavari, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya, zvino havachisina chokudya. Kana ndikavaendesa kumisha yavo vaine nzara vachaziya panzira nokuti vamwe vavo vabva kure.” Vadzidzi vake vakamupindura vachiti, “Pane angawane zvingwa mugwenga muno here zvingagutse vanhu ava?” Akavabvunza kuti, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Zvinomwe.” Zvino akati vanhu ngava gare pasi. Akatora zvingwa zvinomwe zviya akatenda, ndokuzvimedura ozvipa vadzidzi vake kuti vape vanhu. Ivo ndokuzvipa kuvanhu. Uye vakanga vane tuhove tushoma. Akatukomborera akati, “Kunyange itwotwu tupihwe vanhu.” Vanhu vakadya vakaguta, vakazonhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza nhengwana nomwe. Pakanga paine zviuru zvinenge zvina zvavanhu. Akazoonekana navanhu, pakarepo ndokubva akwira mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta. Zvino vaFarisei vakauya kwaari, vakatanga kuitirana nharo naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, kuri kumuedza. Akashungurudzika mumwoyo make akati, “Chizvarwa ichi chinotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna chiratidzo chichapiwa kuchizvarwa ichi.’ ” Akabva avasiya, ndokukwirazve mugwa oyambukira mhiri. Zvino vakanga vakanganwa kutakura chingwa, kunze kwechimwechete chavakanga vanacho mugwa. Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei neyaHerodhi.” Vakakurukurirana pachavo vachiti, “Hatina chingwa.” Jesu akazviziva akavati, “Nemhaka yei muchitaurirana kuti hamuna chingwa? Hamusati maziva kana kunzwisisa here, mwoyo yenyu mikukutu kanhi? Mune meso, asi hamuoni nhai? Mune nzeve asi hamunzwe nhai? Hamuyeuke here zviya zvandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu, zvingwa zvishanu; makaunganidza matengu mangani azere ezvimedu?” Vakati kwaari, “Gumi namaviri.” “Ko paya pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makaunganidza nhengwana dzizere ngani dzezvimedu?” Vakati kwaari, “Nomwe.” Iye ndokuti kwavari, “Hamusati mavakunzwisisa nanhasi here?” Vakazosvika kuBhetisaidha, vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari bofu. Vakakumbira Jesu kuti amubate. Akamubata ruoko oenda naye kunze kwomusha. Akapfira mate pamaziso ake, akaisa maoko ake paari ndokumubvunza kuti, “Pane chaunoona here?” Akatarisa akati, “Ndiri kuona vanhu asi vanotarisika semiti iri kufamba.” Akaisazve maoko ake pamaziso pake, iye ndokuramba akangoti ndee kutarisisa, ndokubva aporeswa. Akabva avakuona zvakanaka zvinhu zvose. Jesu akamuendesa kumba kwake achiti, “Usamboenda zvako nomumusha umu.” Jesu akaenda navadzidzi vake kumisha yokuSezariafiripi. Vachiri munzira, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti ndini ani?” Vakamupindura vachiti, “Johani Muombeki, vamwewo vanoti, ndiEriya, vamwewo vachiti, mumwe wavaporofita.” Akazovabvunza achiti, “Ko imi, munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Imi ndimi Kristu chaiye.” Jesu akatsindidza kuti vasambozviudza ani naani zvake nezvake. Akazotangisa kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru, agorambwa navakuru vakuru, navapristi vakuru, nenyanzvi dzoMutemo, ozouraiwa; asi agomukazve mushure memazuva matatu. Akataura izvi pachena. Ipapo Pita akamutora parutivi ndokutanga kumutsiudza. Jesu akatendeuka akaona vadzidzi vake ndokubva atsiudza Pita achiti, “Ndibvirepo, Satani womunhu! Mafungiro akadai haasi aMwari asi avanhu.” Akazodaidza chita chavanhu pamwechete navadzidzi vake akati kwavari, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake anditevere. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka achahuponesa. Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvose zvapasi pose asi iye achirasikirwa noupenyu hwake? Nokuti chiiko munhu chaangabvise kuti adzikinure upenyu hwake? Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu pakati pechizvarwa ichi chenzenza dzavanhu nechavatadzi, Mwanakomana womunhu achamunyarawo musi waanouya aine mbiri yaBaba vake pamwe navatumwa vatsvene.” Akazoti kwavari, “Zviro kwazvo ndinoti kwamuri, kune vamwe vamire pano vasingambofi vasati vaona umambo hwaMwari hwatouya nesimba.” Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Pita naJemusi naJohani ndokuvatungamirira mugomo refu vari pachavo voga. Akasanduka pamberi pavo. Hanzu dzake dzakapenya dzikachena kuti mbu — u chaizvo zvokuti hapana musuki pasi pano angagone kudzichenesa kudaro. Ipapo vakabva vaona Eriya naMosesi vachitaurirana naJesu. Zvino Pita akabva ataurawo kuna Jesu achiti, “I — i, mudzidzisi, zvakanaka sei kuti tive pano! Ngatichivakai matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya.” Akanga asingazivi zvaaitaura nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru kwazvo. Gore rakavafukidza, izwi rikabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo, munzwei.” Pakarepo vakazoti ringe — ringei, wanei hapachisina wavachamboona kunze kwaJesu chete aiva navo. Pavakanga vachiburuka mugomo akavatsindidza kuti vasataurire munhu zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvafi. Vakachengetedza zvinhu izvi mumwoyo mavo, vakachizvibvunza kuti, “Kumuka kuvafi kunorevei.” Vakazomubvunza vachiti, “Ko, pamusana pei nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Eriya anofanira kutanga kuuya?’ ” Akati kwavari, “Hongu zvazvo Eriya achafanouya achizodzorera zvinhu pakare asi sei zvakanyorwa nezvoMwanakomana womunhu kuti anofanira kutambudzika zvikuru nokushorwa?” Asi zvandinokutaurirai ndezvokuti, “Eriya akauya, vakaita zvavaida naye sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake.” Kuzoti vadzokera kuna vamwe vadzidzi, vakaona vakaunganirwa negungano guru ravanhu; nyanzvi dzoMutemo dzichiitirana nharo navo. Gungano riya rose parakangomuona rakashamiswa kwazvo, rakamhanyira kwaari, ndokumukwazisa. Jesu akavabvunza achiti, “Ko muri kuitirana nharo dzei?” Mumwe wegungano riya akamupindura achiti, “Mudzidzisi ndauya nemwanakomana wangu kwamuri ane mweya wakaipa wembeveve. Kwose kwose kwaunomubata unomuwisira pasi womupupisa furo achirumanidza mazino, obva ati papata kuoma. Zvino ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi vakoniwa.” Akavapindura achiti, “A! Rudzi rusingatendi urwu! Ndichange ndiinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Muunzei kwandiri.” Vakauya nomukomana uya kwaari, mweya pawakaona Jesu wakabva wapfurupfutisa mukomana uya, akawira pasi akaumburuka achipupa furo kumuromo. Jesu akabvunza baba vake achiti, “Ava nenguva yakadii achidai?” Ivo vakati, “Kubvira paupwere hwake. Wakamuwisira kazhinji mumoto, nomumvura uchida kumuparadza. Kana pane chamunogona kuita tinzwireiwo tsitsi mutibatsire.” Jesu akati kwaari, “Kana pane chamunogona! Zvose zvinogoneka wani kumunhu anotenda.” Pakarepo baba vomwana vakabva vadaidzira vachiti, “Ndinotenda, ndibatsireiwo pandinokundika pakusatenda kwangu.” Jesu achiona kuti gungano ravanhu rava kuti wiri — wiri kuungana, akatsiura mweya wetsvina achiti, “Iwe mweya wembeveve newematsi ndiri kukuudza kuti, ‘Buda maari, uye usazopindazve maari.’ ” Mweya ndokuzhamba, uchimupfurupfutisa ndokubuda maari; sarei mukomana oita seafa, zvokuti voruzhinji vakati afa. Asi Jesu akabata ruoko rwake achimusimudza, iye ndokubva asimuka. Kuzoti Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari pachavo vachiti, “Ko isu tatadza nei kuudzinga?” Akavapindura achiti, “Rudzi rwemweya uyu haruna madzingiro, asi nokunamata chete.” Zvino vakabva ipapo vakapfuura nomuGarirea asi akanga asingadi kuti zvizivikanwe naani zvake; nokuti aidzidzisa vadzidzi vake achiti kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu vachizomuuraya. Kana auraiwa achamukazve mushure memazuva matatu.” Asi havana kunzwisisa zvaakataura, uye vakatya kumubvunza. Zvino vakasvika Kapenaumu. Vava mumba akavabvunza achiti, “Manga muchiitirana nharo dzei munzira?” Vakaramba vanyerere, nokuti munzira vakanga vachiitirana nharo dzokuti ndiani mukuru kupinda vose. Akati agara pasi, akadaidza vane gumi navaviri akati kwavari, “Kana munhu achida kuva wokutanga anofanira kuva okupedzisira pana vose; agove mushandiri wavose.” Akazotora mwana muduku; akamuisa pakati pavo, akamugumbatira mumaoko akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mumwe wavana vaduku vakadai muzita rangu anogamuchira ini. Uye ani naani anondigamuchira haasi kugamuchira ini asi anogamuchira, uyo akandituma.” Johani akati kwaari, “Mudzidzisi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti akanga asiri wenzira imwechete nesu.” Asi Jesu akati, “Musamurambidze nokuti hakuna munhu anoita zvishamiso muzita rangu pedzepo ogona kutaura zvakaipa nezvangu; nokuti munhu asingapikisane nesu ndowedu. Ani naani anokupai mukombe wemvura yokunwa pamusana pokuti muri vanhu vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haazorasikirwa nomubayiro wake kwete.” Ani naani anofurira mumwe wavana vaduku ava vanotenda mandiri kutadza zvinotova nani kwaari kuti asungirirwe ziguyo mumutsipa wake agokandwa mugungwa. Kana ruoko rwako ruchikukonzera kuti utadze rudimure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uri wakaremara pano kupinda mugehena, muvira romoto usingadzimiki, uina maoko maviri. *** Kana tsoka yako ichikonzera kuti utadze, idimure, nokuti zviri nani kuti upinde muupenyu wakaremara pano kukandwa mugehena uine tsoka mbiri. *** Kana ziso rako richikurasisa, risvukunure, zviri nani kuti upinde muumambo hwaMwari une ziso rimwechete pano kukandwa mugomba romoto, uina maziso maviri, mune honye dzavo dzisingafi nemoto usingadzimiki. Munhu wose anofanira kunatswa nomoto. Munyu wakanaka; asi kana washapa unozovaviswa nei? Ivai vanhu vakarungwa vanowadzana. Zvino Jesu akabvapo ndokuenda kudunhu reJudhea nokumhiri kwaJorodhani. Mapoka avanhu akamuunganira zvakare akavadzidzisazve sezvaaigaroita. Zvino vaFarisei vakazouya kwaari vakamubvunza, kuri kumuedza zvavo vachiti, “Murume anobvumirwa here kuramba mukadzi wake?” Jesu akavapindura achiti, “Ko Mosesi akakutemerai zvipi?” Ivo vakati, “Mosesi akatibvumira kuti murume anyorere mukadzi tsamba yegupuro obva amudzinga.” Asi Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai mutemo wakadai pamusana poukukutu hwemwoyo yenyu. Asi kubva pakutanga kwokusikwa kwezvinhu, Mwari wakavasika vari munhurume nomunhukadzi. Nechikonzero ichochi murume anosiya baba naamai vake, achibva abatanidzwa nomukadzi wake. Vaviri ava vachiva muviri mumwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.” Kuzoti vava kumba vadzidzi vakamubvunza zvakare nezvenyaya iyi. Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe, anoita upombwe uye achimutadzira. Mukadziwo akaramba murume wake achitorana nomumwe murume anoita upombwe.” Kwakazouya vamwe vanhu navana vaduku kwaari kuti aise maoko pamusoro pavo asi vadzidzi vakavarambidza. Asi Jesu paakazviona akatsamwa ndokuti kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwaMwari ndehwevakaita saivava. Chokwadi chaizvo, ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombohupinda.” Iye ndokuvafungatira mumaoko, achivakomborera, achiisa maoko ake pavari. Kuzoti ava kupinda munzira, mumwe munhu akamumhanyira ndokusvikopfugama mberi kwake omubvunza achiti, “Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akamupindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka kunze kwaMwari oga. Unoziva wani mitemo inoti; usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema, usanyengedze, remekedza baba naamai vako.” Iye akatiwo kwaari, “Mudzidzisi, yose iyi ndakaichengeta kubvira pauduku hwangu.” Jesu akamutarisa akamuda, ndokumuti, “Une chimwechete chausina; chokuti enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo, uchava noupfumi kudenga; ugouya wonditevera.” Shoko iri rakamusvibisa mwoyo akabvapo woenda akasuruvara nokuti akanga aine upfumi hwakawanda. Jesu akaringa — ringa akati kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti vanoupfumi vapinde muumambo hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa kwazvo namazwi ake. Asi Jesu akataurazve achiti kwavari, “Vakomana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari. Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Ivo vakashamiswa zvikuru kwazvo vakataurirana vachiti, “Ndiani zvino angagone kuponeswa?” Jesu akavatarisa akati, “Izvi hazvigoneki kuitwa navanhu asi naMwari. Kuna Mwari zvose zvinogoneka.” Pita ndipo pakazoti kwaari, “Tarisai muone isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai.” Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hakuna munhu akasiya musha, kana vakomanavanun'una, kana hanzvadzi, kana amai, kana baba, kana vana, kana minda pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka, asingazowana zvakapetwa kazana iye zvino munguva ino, misha, vakoma navanun'una, nehanzvadzi, nanaamai, navana, neminda pamwe nokutambudzwa panguva ino noupenyu husingaperi panguva ichauya. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisirawo vachiva vokutanga.” Zvino vari munzira, vachikwira kuJerusaremu, Jesu aifamba ari mberi kwavo. Zvakavashamisa kwazvo. Vaitevera vakatya. Akazotorazve vane gumi navaviri akatanga kuvaudza zvaizoitika kwaari achiti, “Chinzwai, tava kukwira kuJerusaremu; Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo; vachamutongera rufu; vachimuisawo mumaoko evechirudzi; vachamunyomba; vachimusvipira mate nokumurova zvakanyanya; vozomuuraya. Asi mushure memazuva matatu achamukazve.” Jemusi naJohani vanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu vakati, “Mudzidzisi tinoda kuti mutiitirewo chero chatinenge takukumbirai.” Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Ivo vakati kwaari, “Tibvumirei kuti, mumbiri yenyu, tizogara takati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” Jesu akavapindura achiti, “Hamuzivi zvamurikukumbira. Munogona here kunwa mukombe wandinonwa ini kana kuombekwa noruombeko rwandinoombekwa narwo ini?” Ivo vakati kwaari, “Tinogona.” Jesu akati kwavari, “Hongu mukombe wandinonwa ini, muchanwa noruombeko rwandinoombekwa narwo muchaombekwawo narwo; asi zvokugara kurudyi rwangu kana kuti kuruboshwe rwangu handisirini ndinozvipa, ndokweavo vakakugadzirirwa.” Zvino vamwe gumi vaya, pavakazvinzwa vakatsamwira vana Jemusi naJohani. Jesu akavadaidza akavati, “Munoziva kuti kune vechirudzi vanonzi vatongi vaya, pakutonga vanoita zvechisimba uye vakuru vakuru vavo vanoita zvomukundo. Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuve wokutanga pakati penyu anofanira kuve muranda wavose. Nokuti kunyange Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira vamwe, uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.” Vakazosvika kuJeriko. Kuzoti ava kubuda muJeriko navadzidzi vake negurumwandira ravanhu, Bhatimeusi mwana waTimeo, mupemhi aiva bofu akanga agere parutivi pomugwagwa. Paakanzwa kuti ndiJesu weNazareti, akatanga kudaidzira achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vazhinji vakamutsiura vachiti anyarare, asi iye ndipo paakatonyanya kudaidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati, “Mudaidzei.” Vakadaidza bofu riya vachiti kwaari, “Tsunga mwoyo; simuka; ari kukudaidza.” Akakanda jasi rake pasi, ndokukwakuka ouya kuna Jesu. Jesu ndokuti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Bofu rakati kwaari, “Mudzidzisi itai kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chienda zvako, chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona, akatevera Jesu munzira. Zvavakanga vava kusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage neBhetania pagomo reMiorivhi; akatuma vamwe vavadzidzi vake vaviri achivati, “Endai mumusha wakatarisana nemi. Muchangopindamo muchawana gondora redhongi, rakasungirirwa, risina kumbotasvwa nomunhu. Risunungurei muuye naro. Kana munhu akakutii, ‘Muri kuzviitirei?’ Muudzei kuti Tenzi ari kurida; acharidzosa nokukurumidza.” Vakaenda, vakandowana gondora redhongi rakasungirirwa pamusuo nechapanze pedyo nomugwagwa, vakarisunungura. Vamwe vakanga vamirepo vakati kwavari, “Ko ndochii chamavakuita, kusunungura gondora iri redhongi?” Vakavaudza zvakanga zvataurwa naJesu, ndokubva vovarega vachienda zvavo. Zvino vakaenda negondora redhongi riya kuna Jesu vakawarira hanzu dzavo pamusoro paro akabva aritasva. Vazhinji vakawarira hanzu dzavo munzira, vamwe vakawarira mapazu anamashizha avakatemha muminda. Zvino vaifamba vari mberi navaimutevera vakadaidzira vachiti; “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. Ngahurumbidzwe umambo hwababa vedu Dhavhidhi. Huri kuuya. Hosana kumusorosoro.” Zvino Jesu akapinda muJerusaremu ndokundopinda muTemberi. Paakapedza kuongorora zvinhu zvose; akabuda oenda Bhetania pamwechete navane gumi navaviri, nokuti kunze kwakanga kwaenda. Fume ramangwana, zvavakanga vachibva kuBhetania akanzwa nzara. Ari chinhambwe akaona muonde una mashizha akaenda ikoko kuti zvimwe angawane chinhu pauri. Akasvika pauri asi hapana chaakawana kunze kwamashizha chete, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Ndokubva ati kwauri, “Pasazove nomunhu anodya muchero wako narini.” Vadzidzi vake vakazvinzwa. Vakazosvika kuJerusaremu. Akapinda muTemberi, ndokutangisa kudzinga vanhu vaitengesera muTemberi navaitengamo. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari, nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. Uye haana kubvumira munhu kuti apfuure nomuTemberi akatakura chinhu. Akavadzidzisa achiti, “Hazvina kunyorwa here zvichinzi; “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira, yamarudzi ose avanhu, asi imi makaiita bako ramakororo.’ ” Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakazvinzwa, vakatsvaka nzira yokumupfuudza nayo, nokuti vaimutya pamusana pokuti vanhu vazhinji vakanga vachishamiswa norudzidziso rwake. Kuzoti ava manheru, vakabuda muguta. Fume mangwana, vakapfuura napamuonde uya, vakaona wakaoma nemidzi yose. Pita akayeuka ndokuti, “Mudzidzisi tarisai! Muonde uya wamakarengerera rushambwa wakaoma.” Jesu ndokuvapindura achiti, “Ivai nechitendero muna Mwari. Zvirokwazvo ndinokuudzai kuti, ‘Ani naani anoti kugomo iri simudzwa ukandwe mugungwa,’ asingakahadziki mumwoyo make asi achitenda kuti zvinhu zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, ‘Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato tendai kuti matochipiwa, chichava chenyu. Nguva dzose pamunomira muchinamata, kana pano mumwe wamuine chigumbu naye, muregererei, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo zvikanganiso zvenyu.’ ” *** Vakasvika zvakare Jerusaremu. Zvaakanga achifamba muTemberi, vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo navakuru vakuru vavaJudha vakauya kwaari vakati kwaari, “Unoita izvi nesimba raani? Ndiani akakupa simba rokuita izvi?” Jesu akati kwavari, “Ndombokubvunzaiwo mubvunzo mumwechete; mundipindure, ndozokuudzaiwo kuti ndinoita izvi nesimba raani. Ruombeko rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei” Ipapo vakataurirana pachavo vachiti, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga;’ achati, ‘Ko makaregerei kutenda kwaari?’ Asi toti here, ‘Rwakabva kuvanhu? Vakanga vachitya vanhu nokuti vose vaiti Johani muporofita chaiye.’ ” Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Jesu ndokuvati, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani.” Zvino akatanga kutaura kwavari nemienzaniso achiti, “Mumwe munhu akasima munda wake wamagirepisi, ndokuukomberedza noruzhowa. Akacherawo gomba rokusvinira waini, nokuvaka nharire ndokuupa kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimubhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika. Panguva yomuchero akatuma muranda wake kuvarimi vaya kundopiwa chikamu chomuchero womunda wamagirepisi. Ivo vakamubata ndokumurova vakamudzosa asina chinhu. Akatumazve mumwe muranda kwavari. Iyeyu vakamutema mbonje vakamunyadzisa. Akazotumazve mumwe muranda; uyu vakamuuraya. Akatumazve vamwe vazhinji, vamwe vacho vaivarova, vamwe vachivauraya. Asi akanga achino mumwechete, mwanakomana wake wapamwoyo. Pokupedzisira akamutuma kwavari achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ ” Asi varimi ivavo vakataurirana vachiti, “Uyu ndiyeka mugari wenhaka uyu, uyai timuuraye, nhaka igova yedu.” Vakamubata, vakamuuraya, ndokumukanda kunze kwomunda wamagirepisi. Ko zvino muridzi womunda wamagirepisi achaitei? Achauya agoparadza vokushandisa munda vaya ava nokupa munda uyu wamagirepisi kuna vamwe. Hamuna kumboverenga here Rugwaro Dzvene paya panoti, “Dombo rakarambwa navavaki iroro ndiro rakazova dombo rakakoshesesa rapakona yemba? Izvi zvakaitwa naTenzi, uye zvinotishamisa kwazvo kuzviona?” Vakazviona kuti ataura muenzaniso uyu akananga ivo; nezvo vakaedza kuti vamusunge asi vakatya vanhu. Naizvozvo vakamusiya voenda. Vakazotuma kwaari vamwe vavaFarisei navamwe vebato rokwaHerodhi kuti vamubate mukutaura kwake. Vakasvikoti kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi, uye kuti hamunei nezvokuti uyu ndiani zvakare hamunei nezvokuti akamira sei, asi munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi. Ko, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza, kana kuti kwete? Totera here kana kuti torega kutera?” Asi iye akaziva unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ko munondiedzereiko? Ndiunzirei dhenari kuti ndirione.” Ivo ndokuriunza. Iye akavabvunza achiti, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” Ivo vakati kwaari, “NdezvaSiza.” Jesu akavati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, zvaMwari kuna Mwari.” Vakashamiswa naye zvikuru. Kwakazouyawo vaSadhusei kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka muvafi hakuna, vakamubvunza vachiti; “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa achisiya mukadzi asina mwana waasiya, munun'una wake ngaagare nhaka mukadzi wake kuti amutsire mukoma wake vana. Kwaiva navakomana vanomwe, mukomanomunun'una. Dangwe ravo rakaroora mukadzi. Parakafa harina kusiya mwana. Wechipiri akatorana naye ndokufawo asina kusiya mwana kunze. Wechitatu akadarowo. Vari vanomwe kudaro havana kusiya mwana kunze. Pakupedzisira mukadzi uya akafawo. Ko zvino pakumuka kwavakafa (kana vomuka) mudzimai achazova woupi nokuti vose vari vanomwe akambova mukadzi wavo?” Jesu akati kwavari, “Hazvisizvo here zvinoita kuti murasike zvokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari? Nokuti pakumuka kwavanhu kuvafi havacharoori kana kuroorwa asi kuti vachagara savatumwa vari kudenga. Kana zviri zvokumutswa kwavakafa, hamuna kuverenga here muGwaro raMosesi paya pezvegwenzi riya, zvokuti Mwari akamutaurira achiti, ‘Ini ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu. Munokanganisa chaizvo.” Zvino mumwe wenyanzvi dzoMutemo akasvika akavanzwa vachiitirana naye nharo. Zvaakaona kuti Jesu avapindura nomazvo akamubvunza achiti, “Ko mutemo wechiposhi — poshi pane mitemo yose ndoupi?” Jesu akapindura achiti, “Mutemo wechiposhi — poshi ndouyu unoti; “ ‘Chinzwa Isiraeri, Tenzi Mwari wedu ndiye Tenzi mumwe chete oga. Uye ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nepfungwa dzako dzose, nesimba rako rose.’ “Wechipiri ndouyu, “ ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ Hakuna mutemo mukuru pana iyoyi.” Zvino nyanzvi yoMutemo iya yakamuti, “Ndizvozvo chaizvo, Mudzidzisi, mataura sezvazviri kuti kuna Mwari mumwe chete, kunze kwake hakuna mumwezve. Kwouya kuti kumuda nomwoyo wose, nepfungwa dzose, nesimba rose, nokuda mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako, zvinokunda zvibayiro zvose zvechinhu chinopiswa chose zvacho nemipiro.” Jesu paakanzwa kuti apindura noungwaru akamuti, “Hausiri kure noumambo hwaMwari.” Kubva ipapo hapana naakazoshinga kumubvunza kana mumwe mubvunzo zvawo. Jesu zvaakanga achidzidzisa muTemberi akati, “Seiko nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?’ Iye Dhavhidhi pachake, afemerwa naMweya Mutsvene, akati, “ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu, gara kurudyi rwangu kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ “Dhavhidhi pachake anomuti, ‘Tenzi,’ ko zvino angagova mwana wake sei?” Voruzhinji vaifarira kumuteerera. Mukudzidzisa kwake Jesu akati, “Ngwarirai nyanzvi dzoMutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu nokukwaziswa navanhu pamisika. Vanodawo zvigaro zvakanaka mumasinagogu nezvigaro zvavakuru — vakuru pamabiko. Vanodya twemba dzechirikadzi, uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesesa.” Kuzoti Jesu agara pasi akatarisana nenzvimbo yaichengeterwa upfumi hweTemberi. Akaongorora uzhinji hwavanhu hwaikanda mari maichengeterwa upfumi hweTemberi. Vapfumi vazhinji vakakanda mari zhinji. Pakazosvikawo imwe chirikadzi, murombo, yakakandawo tumari tuduku tuviri twekopa twaisvitsa sendi. Jesu akadaidza vadzidzi vake ndokuti kwavari, “Zviro kwazvo ndinokuudzai kuti chirikadzi iyi murombo, yaisa, munochengeterwa upfumi hweTemberi zvinopfuura zvakandwa navamwe vose, nokuti ivo vose vaisa zvabva mune zvakawanda zvavanazvo. Asi iyo nourombo hwayo yaisa zvose zvinoiraramisa.” Paaibuda muTemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi tarisai muone kunaka kwamatombo aya nedzimba dzacho.” Jesu akamupindura achiti, “Uri kuona here mazimba mahombe aya? Hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.” Paakanga akagara pasi pagomo reMiorivhi rakatarisana neTemberi, Pita naJemusi naJohani naAndrea vakamubvunza vari pachavo vachiti, “Tiudzeiwo kuti izvi zvichaitika rini uye kuti chiratidzo chokuti zvose izvi zvava kuda kuitika chichava chei?” Ipapo Jesu akatanga kuvaudza achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake. Kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye,’ vachirasisa vazhinji. Kana monzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo musanyanye kutya. Izvi zvinofanira kuti zviitike, asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo; kuchava nokudengendeka kwapasi, munzvimbo dzakasiyana — siyana; kuchava nedzinzara. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka. Asi imi zvingwarirei nokuti vachakukwidzai pamatare, uye mucharohwa mumasinagogu; muchamira pamberi pavatongi namadzimambo pamusana pangu kuti chive chapupu kwavari. Shoko Rakanaka rinofanira kuti ritange raparidzwa kumarudzi ose. Kana voenda nemi, vava kundokukwidzai pamatare, musazvinetse nezvokuti muchazondotaurei; asi zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, taurai izvozvo, nokuti hamusirimi munenge motaura asi Mweya Mutsvene. Mukoma kana munun'una vachacherana kuti mumwe auraiwe, baba vachadarowo kumwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo vachivauraisa Uye muchazovengwa navanhu vose pamusana pangu. Uyo anotsungarara kusvikira kumagumo ndiye achaponeswa. “Asi kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chomira pachisingafaniri kumira, anoverenga ngaanzwisisewo, saka vari Judhea ngavatizire kumakomo. Anenge ari pamusoro pemba, ngaarege kuburukira pasi kuti apinde mumba make kundotora chinhu. Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jazi rake. Hameno zvavo vanenge vane pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. Namatai kuti zvisaitike panguva yechando. Nokuti pamazuva iwayo pachava nenhamo isati yamboitika kubvira pakutanga kwokusikwa kwezvinhu zvakasikwa naMwari kusvika pari nhasi, uye hazvichazomboitikazve. Dai kuri kuti Tenzi haana kutapudza zvake mazuva iwayo, hapana munhu airarama, asi pamusana pavasarudzwi vaakasarudza akatapudza mazuva acho. “Panguva iyoyo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu! Kana kuti ari koko!’ Musazvitende. Kuchamuka vana kristu venhema navaporofita venhema vachionesa zviratidzo namashura kuti vatsautse vasarudzwi, kana zvichigoneka. Asi, imimi chichenjerai, ndafanokuudzai zvinhu zvose. “Asi mumazuva iwayo, mushure menhamo iyoyo zuva richaora, mwedzi ucharega kuvhenekera, uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga, uye masimba omudenga achazungunutswa. Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba guru nembiri. Zvino iye achazotuma vatumwa vake kundokokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika yose kusvika kwakaperera denga. “Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvoitika, zivai kuti iye ava pedyo, atova pamusuo chaipo. Zviro kwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri zvinhu izvi zvose zvisati zvaitika. Denga napasi zvichapera zvazvo asi mazwi angu haachapfuuri. “Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vari kudenga, kanawo Mwanakomana, asi Baba voga. Chenjerai mugaririre, nokuti hamuzivi kuti nguva yacho ichasvika rini. Izvi zvakafanana nomunhu ari parwendo, anoti kana obva pamba, anosiya aturira imba yake mumaoko avaranda vake mumwe nomumwe aine basa rake. Anoudza mutariri wapasuo guru kugaririra. Naizvozvo rindirai nokuti hamuzivi kuti saimba anouya rini, kumanheru here, pakati pousiku kana kuti nguva yomurirakamwe kana kuti mangwanani. Angadaro akayerekana asvika okuwanai makakotsira. Zvandiri kukutaurirai ndiri kutaurira vose, rindirai.” Zvino kwanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika namazuva makuru eZvingwa Zvisina Mbiriso zvisvike. Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakanga vachitsvaka nzira yokumusunga nayo zvisina tsarukano kuti vagomuuraya. Vaiti, “Kwete pamazuva makuru, nokuti pangadaro pakaita bongozozo ravanhu.” Zvino Jesu zvaakanga agere pakudya mumba maSimoni wamaperembudzi kuBhetania, kwakauya mumwe mukadzi nechinu chomunyakwe wearabhasita, chiine mafuta okuzora aiva enadhi chaiyo, anokosha kwazvo. Akabedura chinu chiya akadira mafuta mumusoro maJesu. Pakava navamwe vakanyunyuta nazvo vachiti, “Mafuta aya atambisirweiko kudai? Mafuta aya angadai atengeswa madhenari anodarika mazana matatu, mari yacho ichipiwa varombo.” Vakapopotera mukadzi. Asi Jesu akati, “Siyanai naye; munomunetserei? Inga aita chinhu chakanakisa wani kwandiri. Varombo munavo nguva dzose wani. Pamunenge madira zvenyu munogona kuvaitira zvakanaka asi ini hamuneni nguva dzose. Aita zvaagona; afanozora muviri wangu mafuta kuitira kuvigwa kwangu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kwose kuchaparidzwa shoko iri rakanaka pasi pose, zvaaita zvichataurwawo sechinhu chokumuyeuka nacho.” Zvino Judhasi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri akaenda kuvapristi vakuru kuti amutengese kwavari. Pavakazvinzwa vakafara vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka nguva yakanaka yokumutengesa nayo. Pazuva rokutanga reChingwa Chisina Mbiriso, musi wavaibaya hwayana yePasika, vadzidzi vake vakati kwaari, “Ndokupi kwamunoda kuti tiende kundokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” Akatuma vadzidzi vake vaviri, achiti kwavari, “Endai muguta. Muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei. Maanenge apinda imomo bvunzai muridzi wemba kuti zvanzi nomudzidzisi, ‘Ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’ ” Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa yakagadzirwa. Tigadzirirei imomo. Vadzidzi vaya vakaenda. Vakasvika muguta vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika. Ava manheru akauya navane gumi navaviri. Pavakanga vagere pakudya Jesu akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu ari kudya neni, achanditengesa.” Vakatanga kusuruvara. Mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?” Iye ndokuti kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri wandiri kuseva naye mundiro.” Nokuti, zvechokwadi, Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu, zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake. Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose. Akazoti kwavari, “Iri iropa rangu rechitenderano, rinodeurirwa vazhinji. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handichazonwizve waini yomugirepisi kusvikira zuva randichanwa yava waini itsva muumambo hwaMwari.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda voenda kugomo reMiorivhi. Jesu akazoti kwavari, “Mucharasiswa mose nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi, hwai dzigopararira.’ Asi mushure mokunge ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.” Pita akati kwaari, “Kunyange vamwe vose vangarasiswe zvavo asi ini kwete.” Jesu ndokuti kwaari, “Zviro kwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi, iwe uchandiramba katatu jongwe risati rarira kaviri.” Asi iye akabva atosimbisisa kwazvo achiti, “Kana zvazvo ndikanzi ndife nemi handimbokurambai.” Vamwe vose vakadarowo. Vakaenda panzvimbo inonzi Getsemani. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndimbonamata.” Akatora Pita, naJemusi naJohani. Akatanga kubatwa nokutya kukuru nokusuruvara. Akati kwavari, “Ini ndadumbirwa zvokunge ndichafa zvangu. Sarai pano murindire.” Akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi akanamata kuti kana zvichigoneka zvaizoitika nguva iyi zvimupfuure zvake. Akati, “Abba, baba, kwamuri zvose zvinogoneka, bvisai mukombe wamatambudziko uyu pandiri, asi kusave kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Akadzoka akavawana vatokotsira ndokuti kuna Pita, “Nhai Simoni watokotsira zvako here? Watadza kugarira kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi muviri wakarukutika.” Akasudurukazve, akanamata achitaura mazwi mamwecheteyo. Akadzokazve ndokuvawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru uye vakashaya chokumupindura. Akadzokazve kechitatu akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu nokuzorora nhai? Zvakwana. Nguva yatosvika. Mwanakomana womunhu ava kuzoiswa mumaoko avatadzi. Simukai tiende, houno anondipandukira wava kusvika.” Pakarepo paakanga achiri kutaura, Judhasi mumwe wavane gumi navaviri akabva asvika aine chikwata chavanhu vakanga vaina mapakatwa netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo navakuru vakuru. Zvino mupanduki uya akanga avapa chiratidzo chokuti, “Wandinotsvoda ndiyeyo, mubatei muende naye makamuchengetesa.” Naizvozvo kuzoti asvika akabva aenda kwaari oti, “Tikukwaziseika Mudzidzisi,” ndokumutsvoda. Vakabva vati Jesu dzvi, kumubata. Zvino mumwe wavakanga vamirepo akati bakatwa rake wee ndokuvaura nzeve yomuranda womupristi mukuru, akamudimura nzeve. Jesu akati kwavari, “Nhaimi inga matouya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuzobata gororo? Zuva nezuva ndainge ndinemi muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata? Regai Magwaro azadzikiswe.” Vose vakabva vamusiya votiza. Mumwe mukomana akamutevera akafuka jira rerineni chete pamuviri wake. Vakamubata, asi akasiya jira riya rerineni otiza asina chaakapfeka. Vakaenda naJesu kumupristi mukuru. Vapristi vakuru vose, navakuru vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakanga vatounganako. Pita akamutevera ari chinhambwe kudzamara paruvanze rwomupristi mukuru. Akagara namapurisa achidziya moto. Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwemhosva yavangape Jesu kuti vamuuraye. Asi vakahushaya. Nokuti vazhinji vakamupupurira zvenhema. Uchapupu hwavo hwakatadza kuwirirana. Vamwe vakasimuka vakamurevera nhema vachiti, “Takamunzwa achiti, ‘Ndichapaza Temberi iyi yakavakwa namaoko, ndigovaka, namazuva matatu, imwe isina kuvakwa namaoko.’ ” Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kuwirirana. Ipapo mupristi mukuru akasimuka pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Hauna mhinduro here panazvose zvavari kukupomera? Ko mhosva dzauri kupomerwa navanhu ava ndedzei?” Asi Jesu akaramba akanyarara, haana kumbopindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunza zvakare achiti, “Ndiwe Mesia here, Mwanakomana waNyakurumbidzwa?” Jesu akati, “Hongu ndini; muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari mumakore edenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura hanzu dzake akati, “Tichadireizve zvapupu? Manzwa kushonha kwake Mwari. Munotii nazvo?” Vose vakati, “Ane mhosva, anofanira kuti afe.” Vamwe vakatanga kumupfira mate vachimufukidza kumeso, nokumurova nembama vachiti, “Porofita.” Mapurisawo akamugama nembama. Izvozvo Pita akanga ari nechapasi, paruvanze. Mumwe musikana webasa womupristi mukuru akasvikapo. Zvaakaona Pita achidziya moto, akamutarisa akati, “Newewo wanga una Jesu weNazareti.” Asi iye akazviramba achiti, “Handizivi, kana kunzwisisa zvauri kutaura.” Akabvapo akaenda kusuo guru. Zvakare musikana webasa uya zvaakamuona akatangazve kutaurira vakanga vamirepo achiti, “Murume uyu mumwe wavo.” Asi iye akazvirambazve. Kwapera chinguvana chidukuduku vaya vakanga vamirepo vakatizve kuna Pita, “Zvechokwadi uri mumwe wavo iwe nokuti uri wokuGarirea.” Ipapo Pita akatanga kuzvirengerera rushambwa achipika achiti, “Handimuzivi munhu uyu wamuri kutaura.” Pakarepo jongwe rakabva rakukuridza kechipiri. Ipapo Pita akayeuka zvakanga zvataurwa naJesu zvokuti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akabva atanga kuchema zvinosiririsa. Kuzoti kwangoedza, vapristi vakuru vakagara dare navakuru vakuru vavaJudha nenyanzvi dzoMutemo neDare guru rose. Vakasunga Jesu, ndokuenda naye kundomuturira kuna Pirato. Pirato akamubvunza achiti, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Iye akapindura achiti, “Inga matozvireva wani.” Vapristi vakuru vakamupomera mhosva zhinji. Pirato akamubvunzazve achiti, “Ko hauna chaunopindura here? Inzwa kuti vanokupomera mhosva dzakawanda sei?” Asi Jesu haanazve chaakapindura kwete, zvokuti Pirato akashamiswa. Nguva dzose, pamazuva makuru aya, Pirato aivasunungurira musungwa mumwechete wavainge vakumbira. Mukati mavapanduki vaiva mujeri, vakanga vauraya munhu muchimurenga, maiva nomumwe murume ainzi Bharabhasi. Kuzoti mhomho yavanhu yakwira kwaPirato, yakatanga kumukumbira kuti avaitire zvaaisimbovaitira. Zvino Pirato akavabvunza achiti, “Ko munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” Nokuti akanga azviona kuti vapristi vakuru vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje. Asi vapristi vakuru vakapesvera vanhu kuti avasunungurire zvavo Bharabhasi. Pirato akapindurazve achiti, “Ko ndoitei nowamunoti mambo wavaJudha?” Vakadaidzirazve vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa.” Pirato ndokuti kwavari, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yei?” Vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa.” Zvino Pirato zvaaida kufadza mhomho yavanhu akavasunungurira Bharabhasi. Asi mushure mokurova Jesu akamuturira kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. Masoja akaenda naJesu munhandare, mumuzinda womutongi wacho wainzi (Pretoriumu,) vakaunganidza boka rose ramasoja. Vakazomupfekedza hanzu yoruvara rwohute ndokuruka chiremba cheminzwa vakachidzika paari. Vakazotanga kumukwazisa vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” Vaimurova musoro norutsanga, vachimupfira mate nokumupfugamira vachimukudza. Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa hanzu yoruvara rwohute iya vomupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. Vakamanikidza mumwe murume aipfuura naipapo achibva kumaruwa, ainzi Simoni wokuSairini, baba vaArekizanda naRufusi, kuti atakure muchinjikwa wake. Vakasvika naJesu kunzvimbo inonzi Gorogota, zvinoreva kuti nzvimbo yeDehenya, vakamupa waini yakasanganiswa nemura asi akaramba kuinwa. Vakamurovera pamuchinjikwa vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange kuti vaone kuti mumwe nomumwe wavo achatorei. Yakanga iri awa yechipfumbamwe yamangwanani pavakamurovera pamuchinjikwa. Chikwangwani chechiga chemhosva yaakapomerwa chaiti, “MAMBO WAVAJUDHA.” Pakanga pakaroverwa pamwepo naye makororo maviri, akati rimwe kurudyi rimwe kuruboshwe rwake. *** Vanhu vaipfuura nepo vakamuseka vachidzungudza musoro vachiti, “Aha ndiweka unopaza Temberi uchiivakazve namazuva matatu, chizviponesaka, uburuke pamuchinjikwa ipapo!” Saizvozvowo vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakamusveeredza vachitaurirana vachiti, “Akaponesa vamwe asi haagoni kuzviponesa iye pachake. Kristu! Mambo wavaIsiraeri! Ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakaroverwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyombawo. Zvino paawa yegumi nechimbiri yamasikati nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu yamasikati. Neawa yechitatu yamasikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” Zvinoreva kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Zvino vamwe vakanga vamirepo vachizvinzwa vakati, “Inzwai, ari kudaidza Eriya.” Ipapo mumwe akamhanya akanyika chifovefove muwaini inovava dzamara chazara ndokuchitungirira parutsanga ndokumupa kuti anwe vachiti, “Mirai tione kana Eriya achiuya kuzomuburutsa.” Ipapo Jesu akadaidzira nezwi guru ndokubva afa. Zvino jira rokudzikatirisa romuTemberi rakabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvikira pasi. Kuzoti mutungamiri wezana akanga amirepo akatarisana naye aona kufa kwaakaita akati, “Zvechokwadi munhu uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” Pakangawo paina madzimai akanga akatarira ari chinhambwe. Vamwe vaiva mukati mavo ndavana Maria Magadharena, naMaria amai vaJemusi muduku naJosesi, naSarome, vaimutevera achiri kuGarirea, vachimushandira, namamwe madzimai mazhinji akanga akwira naye kuJerusaremu. Zvino kuzoti ava manheru, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndiko kuti zuva rapamberi peSabata, kwakauya Josefi weArimatia, aiva mumwe wamakurukota airemekedzwa. Iyewo pachake aimirira umambo hwaMwari. Akatsunga mwoyo ndokuenda kuna Pirato, akamukumbira chitunha chaJesu. Pirato akashamiswa kuti atofa kare. Akadana mutungamiri wezana akamubvunza kuti afa here kare? Paakazvinzwa, zvichibva kumutungamiri wezana kuti Jesu afa, akabvumira Josefi kutora chitunha. Josefi akatenga fuko rerineni, akaturunura Jesu omuputira nefuko riya rerineni ndokumuradzika muguva rakanga rakacherwa mudombo. Akazokungurutsirawo dombo pamusuo weguva. Zvino vana Maria Magadharena, naMaria amai vaJosesi vakanyatsoona paakaradzikwa. Kuzoti Sabata rapfuura, vanaMaria Magadharena naMaria amai vaJemusi naSarome vakatenga mafuta anonhuwira kuti vandomuzora nawo. Mangwanani — ngwanani omusi weSvondo vakafumoenda kuguva zuva rabuda. Vaibvunzana vachiti, “Ko ndiani achandotikungurutsira dombo riya pamusuo weguva?” Zvino vakatarira vakaona kuti dombo riya rakanga ratokungurutswa; rakanga riri guru kwazvo. Pavakapinda muguva vakaona Jaya rigere nechokurudyi, rakapfeka gemenzi jena, vakabva vavhunduka kwazvo. Jaya ndokuvati, “Regai kuvhunduka, muri kutsvaka Jesu weNazareti akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka, haasisimo muno. Tarisai muone nzvimbo yavakamuradzika. Chiendai mundoudza vadzidzi vake naPita kuti Jesu anofanokutungamirirai kuGarirea; ikoko ndiko kwamuchandomuona sezvaakambokutaurirai.” Vakabuda ndokutiza paguva paya nokuti vakanga vava kudedera uye vakashamiswa kwazvo. Hapana wavakaudza chinhu, nokuti vakanga vava kutya. Kuzoti amuka muvafi mangwanani nomusi weSvondo akazviratidza pokutanga kuna Maria Magadharena, uya waakabvisa mweya yakaipa minomwe. Maria akaenda kundoudza vaya vaiva naye, vakanga vari mukuchema nokuungudza Asi pavakanzwa kuti Jesu mupenyu uye kuti aonekwa naye havana kutenda. Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidza neimwe nzira kuna vaviri vachifamba kuenda kumaruwa. Naivavawo vakadzokera vakandoudza vamwe vose asi kunyange ivava havana kuvatenda. Pashure Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwechete vari pakudya. Akavashora pamusana pokusatenda kwavo napamusana poukukutu hwomoyo yavo nokuti havana kutenda vakanga vamuona mushure mokumuka kwake. Akati kwavari, “Endai kunyika dzapasi pose mundoparidza Shoko Rakanaka kuzvisikwa zvose. Anenge atenda akaombekwa achaponeswa, asi uyo asingatendi achapiwa mhosva. Hezvino zviratidzo zvichava navanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa nezita rangu. Vachataura nendimi itsva, vachabata nyoka namaoko. Kunyange vakanwa chinouraya hachizovakuvadzi kwete. Vachaisa maoko pavarwere, vachibva vapora.” Kuzoti Jesu apedza kutaura kwavari akakwidzwa kudenga kwaakandogara kurudyi rwaMwari. Ivo vakaenda vakandoparidza kwose kwose, Tenzi achivabatsira achitsinhira shoko ravo nezviratidzo zvairisimbisa. Ameni. Sezvo vazhinji vakaita basa rokunyora rondedzero yezvinhu zvakaitika pakati pedu, sokuzvigamuchidzwa kwatakaitwa navaya vakanga vazviona nemeso kubvira pakutanga kwazvo, uyezve vari vaparidzi veshoko, neniwo, mushure mokunyatsotsvagisisa zvinhu zvose nemazvo, kubvira kumavambo azvo, ndakazviona chiri chinhu chakanaka kuti, ndikunyorerei rondedzero yazvo yakakwana, imi vaTeofiro vanoremekedzwa, kuti munyatsoziva idi rezvinhu zvamakadzidziswa. Pamazuva aHerodhi, mambo weJudhea, kwaiva nomumwe mupristi ainzi Zakariya wegovero raAbhiya. Aiva nomudzimai akanga ari wedzinza raAroni, zita rake ainzi Erizabheti. Vakanga vakarurama pamberi paMwari vose vari vaviri, vasina chinoshoreka pakutevedza zviri pamitemo nepamirao yaTenzi. Asi vakanga vasina mwana nokuti Erizabheti akanga ari mhanje, uyezve, vose vari vaviri vakanga vachembera. Zvino Zakariya zvaakanga achiri kuita basa roupristi pamberi paMwari, janha regovero rovokwake, samaitiro avapristi, ndivo vakabatwa nomujenya wokuti vapinde munzvimbo Inoera yeTemberi kundopisa rusenzi. Gurumwandira ravanhu rakanga richinamata kunze panguva yokupisira rusenzi. Pakarepo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akamira nechokurudyi rweatari yorusenzi. Zakariya zvaakamuona akavhunduka, akabatwa nokutya. Asi mutumwa waTenzi akati kwaari, “Rega zvako kutya, Zakariya, nokuti munamato wako wakanzwika. Mudzimai wako, Erizabheti achakuberekera mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Johani. “Iwe uchazofara nokupembera, vazhinji vachazofarirawo kuberekwa kwake, nokuti achava mukuru pamberi paTenzi; haachazonwi waini kana doro rinodhaka, achazadzwa naMweya Mutsvene kubvira achiri munhumbu maamai vake. Achazodzorera vazhinji vavaIsiraeri kuna Tenzi Mwari wavo. Achafamba pamberi paTenzi aina mweya nesimba raEriya kuti awadzanise madzibaba navana vavo; nokudzorera vasingateereri kuhungwaru hwavakarurama, kuti nhadzirire Tenzi vanhu vakamugadzirira.” Zakariya akati kumutumwa, “Ndingazive seiko zvinhu izvi? Ini ndakwegura uye mudzimai wangu achembera?” Mutumwa akamuti, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari, ndatumwa naTenzi kuti nditaure newe nokukuparidza shoko iri rakanaka. “Chinzwa, uchava chimumumu, usingagoni kutaura kusvikira musi wazvichaitika, nokuti hauna kutenda zvandakuudza, izvo zvichazoitika nenguva yazvo.” Izvozvo vanhu vakanga vakangomirira Zakariya, votoshamiswa kwazvo kuti chii chamunonotsa kudai muTemberi. Zvino akati abuda, haana kugona kutaura kwavari. Vanhu ndokubva vaziva kuti aona chiratidzo muTemberi. Akatoita zvokuvaninira maoko, ndokuramba angove chimumumu. Kuzoti mazuva ebasa rake apera, akadzokera kumusha kwake. Shure kwaizvozvi, mudzimai wake Erizabheti akava napamuviri akazvivanza kwemwedzi mishanu, achiti, “Ndozvandakaitirwawo naTenzi pamazuva aakandiringa kuti andibvise nyadzi pamberi pavanhu.” Nomwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuguta reGarirea rinonzi Nazareti, kumhandara yakanga ichangoroorwa nomurume ainzi Josefi, wemba yaDhavhidhi; zita remhandara iyi rainzi Maria. Mutumwa akauya kwaari akati, “Kwaziwa iwe wakakomborerwa, Tenzi anewe.” Zvakamukangaidza zvikuru kunzwa zvakadai, akashamiswa nazvo kuti kwaziso iyi inoreveyi. Mutumwa waMwari ndokupindura oti, “Usatye zvako Maria, nokuti Mwari afadzwa zvake newe. Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru — mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi. Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?” Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari. Chiona kuti kana hama yakowo Erizabheti, kunyange zvake achembera atova napamuviri pomwana mukomana; mwedzi uno watove mwedzi wechitanhatu kune munhu wainzi imhanje. Nokuti pana Mwari hapana chisingagonekwi.” Maria akati, “Onai ndiri murandakadzi waTenzi, ngazviitwe kuneni sokureva kwenyu.” Mutumwa ndokubva omusia oenda zvake. Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kune rimwe guta rokwaJudha. Akapinda mumba maZakariya, akakwazisa Erizabheti. Erizabheti, paakanzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akabva akwakuka mudumbu make. Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene, ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu. Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu. “Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.” Maria ndokubva atiwo; “Ini ndinokurumbidzai, Tenzi, nemwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopembera norufaro Mwari Muponesi wangu. Nokuti akarangarira iniwo zvangu murandanhando wake. Chionai kuti kubvira zvino, zvizvarwa zvose zvavanhu zvichanditi; ‘Wakakomborerwa,’ nokuti iye Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru, zita rake rinoera. Anonzwira tsitsi vanomutya, kubvira kuchizvarwa nechizvarwa. Akaita zvina masimba noruoko rwake, akaparadza vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo zvoushe, achisimudzira pamusoro vakazvirereka. Vane nzara akavagutsa nezvinhu zvakanaka, vapfumi akavaendesa vasina chavanacho. Akarangarira tsitsi dzake akabatsira Isiraeri muranda wake. Sokutaura kwaakamboita kumadzitateguru edu, kuna Abhurahamu nezvizvarwa zvake, nokusingaperi.” Maria akazogara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu, ndokuzodzokera hake kumusha kwake. Zvino mazuva okuti Erizabheti asununguke zvaakakwana, akapona mwana mukomana. Kuzoti vavakidzani vake nehama dzake vanzwa kuti Tenzi akamuitira tsitsi dzakawanda kudai, vakafara kwazvo pamwechete naye. Nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana. Vakanga vachida kumutumidza zita rababa vake rokuti Zakariya, asi amai vake vakati, “Kwete, ngaanzi Johani.” Vanhu vakati kuna amai vake, “Hakuna mumwe wehama dzenyu anodaidzwa nezita iri.” Ipapo vakaninira baba vake vachida kuziva kuti vangade kuti anzi ani. Iye akakumbira chinyorero, akanyora kuti, “Zita rake ndiJohani.” Vose vakashamiswa zvikuru. Pakarepo muromo Zakariya wakabva wazaruka, rurimi rwake rukabva rwasununguka, ndokubva avakutotaura achirumbidza Mwari. Pakave nokutya mukati mavavakidzani vavo, nyaya dzezvinhu izvi dzakafamba kwose kwose munyika yamakomo yeJudhea. Vose vakazvinzwa vakazvipfundira mumwoyo yavo vachiti, “Ko, mwana uyu achazova munhu akaita sei chaizvo?” Nokuti ruoko rwaTenzi rwakanga rwuri paari. Zvino baba vake Zakariya, vakazadzwa naMweya Mutsvene vakaporofita vachiti, “Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari wavaIsiraeri, nokuti akashanyira vanhu vake, akavanunura; akatimutsira Muponesi ane simba mumba maDhavhidhi muranda wake, sokutaura kwaakaita nemiromo yavaporofita vake vatsvene vakare, kuti atinunure kumhandu dzedu, nomumaoko avose vanotivenga, kuri kuratidza tsitsi sokutsidza kwaakamboita kumadzitateguru edu, nokuyeukawo Chitenderano chake chitsvene, nechitsidzo chaakaita kuna baba vedu Abhurahamu, chokuti kana tanunurwa mumaoko emhandu dzedu, timushandire tisingatyi, tichiita mabasa edu tiri vatsvene vakarurama pamberi pake mazuva edu ose. “Iwe mwana, uchanzi muporofita woWokumusorosoro, nokuti uchafanoenda mberi kwaTenzi kundomugadzirira nzira dzake, kupa vanhu vake ruzivo rworuponeso ruri mukuregererwa kwezvitadzo zvavo, pamusana petsiye nyoro dzaMwari wedu, apo tichabudirwa neZuva richibva kumusoro, kuzovhenekera vagere murima nomumumvuri worufu, nokutungamirira tsoka dzedu munzira yorugare.” Mwana akazokura akasimba mumweya. Aigara murenje kusvikira zuva raakazviratidza kuvaIsiraeri. Namazuva iwayo kwakatemwa chirevo chakabva kuna Siza Agusuto, chokuti vanhu vapasi pose vanyorwe mazita avo. Uku ndiko kwaiva kunyorwa kwamazita kwokutanga kwakaitwa Kwiriniosi ari mutongi weSiria. Vanhu vose vakaenda kundonyorwa mumwe nomumwe kuguta rokwake. Zvino Josefi akabvawo Garirea muguta reNazareti achikwira kuJudhea kuguta raDhavhidhi rinonzi Bheterehemu, nokuti aiva wemba nowedzinza raDhavhidhi. Akaenda kundonyorwa iye naMaria waakanga achangobva mukuroora, akangawo ava napamuviri. Vachiri ikoko, mazuva ake okuti asununguke akakwana. Akasununguka dangwe rake, romwana mukomana waakaputira namachira ndokumuradzika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakanga vashaya nzvimbo muimba yavaeni. Mudunhu iroro makanga muina vafudzi kumafuro vairindira zvipfuwo zvavo usiku. Zvino mutumwa waTenzi akazviratidza kwavari. Kupenya kwaTenzi kukavakomberedza vakabva vabatwa nokutya kukuru. Asi mutumwa akati kwavari, “Regai henyu kutya nokuti ndakuunzirai shoko rakanaka rorufaro rukuru ruchava rwavanhu vose. Nokuti nhasi uno, muguta raDhavhidhi, mazvarirwa Muponesi, ndiye Kristu Tenzi. Chiratidzo chamuchamuziva nacho ndechichi chokuti muchandowana mucheche akaputirwa namachira akaradzikwa muchidyiro chezvipfuwo.” Pakarepo boka guru rehondo yedenga rakamira pamwe nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti, “Mbiri kuna Mwari kumusorosoro, pasi pano rugare ruve kuvanhu vaanofarira.” Kuzoti vatumwa vaye vabva pavari, vachienda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehemu tindoona zvaitika izvi zvataziviswa naTenzi.” Vakaenda vachikurumidza vakasvikowana Maria naJosefi, uyezve mucheche arere muchidyiro chezvipfuwo. Kuzoti vafudzi vaona mwana vakatanga kurondedzera zvavakanga vataurirwa nezvemwana uyu. Vose vakanzwa izvi vakashamiswa kwazvo nezvavakataurirwa navafudzi. Asi Maria akapfundira zvinhu zvose izvi mumwoyo make achinyatsozvifungisisa. Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pazvose zvavakanga vanzwa nezvavakaona sokuudzwa kwavakaitwa. Mushure memazuva masere, pakadzingiswa mwana, akatumidzwa zita rokuti Jesu, ndiro zita riya raakapiwa nomutumwa, amai vake vasati vava napamuviri pake. Kuzoti nguva yokuchenurwa kwavo yakwana, vakakwira nomwana kuJerusaremu kundomusuma kuna Tenzi sezvaidikanwa nomutemo waMosesi. Sezvazvakanyorwa muMutemo waTenzi kuti, “Dangwe rose rechikomana rinotanga kubuda mudumbu raamai varo richanzi rakaturirwa Tenzi.” Vakaendawo kundopira mupiro wechibayiro chenjiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki sokurehwa kwazvakaitwa nomutemo waTenzi. Zvino muJerusaremu maiva nomumwe murume ainzi Simeoni. Akanga ari munhu akarurama anotya Mwari, uye akanga achitarisira kunyaradzwa kweIsiraeri. Mweya Mutsvene akanga ari paari. Munhu iyeyu akanga aziviswa naMweya Mutsvene, kuti haazofi asati aona Mesia waTenzi. Afemerwa naMweya, akapinda muTemberi. Vabereki zvavakauisa mwana Jesu kuzomuitira zviya zvaigaroitwa zviri muMutemo akatora mwana akamubata mumaoko, akarumbidza Mwari achiti; “Tenzi mungachirega muranda wenyu zvino achienda norugare, sokureva kwenyu, nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzirira kuti ruonekwe nendudzi dzose dzavanhu. Mwenje wokuvhenekera vechirudzi nomukurumbira wavanhu venyu vaIsiraeri.” Baba vake naamai vake vakashamiswa vachinzwa zvakataurwa nezvake. Zvino Simeoni akavakomborera ndokuti kuna Maria amai vake, “Chinzwai, mwana uyu akasarudzirwa kuputsika nokumuka kwavazhinji muIsiraeri nokuvazve chiratidzo chichapikiswa.” Chichaita kuti pfungwa dziri mumwoyo yavazhinji dzizivikanwe. Nemiwo mwoyo wenyu uchabaiwa nebakatwa. Kwaivawo nomumwe muporofitakadzi ainzi Ana, mwanasikana waFanuero, wedzinza raAsheri. Iye akanga atokwegura. Akangogara nomurume wake kwamakore manomwe chete kubvira umhandara hwake, ndokuzogara sechirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere ana mana. Haaisiyana neTemberi, maaishandira Mwari siku nesikati, nokutsanya nokunamata. Akauyawo nenguva yakareyo akatenda Mwari ndokutaura nezvomwana uyu kuna vose vaimirira kununurwa kweJerusaremu. Zvino kuzoti vapedza kuita zvose zvaidiwa noMutemo waTenzi vakadzokera Garirea kuguta ravo reNazareti. Mwana uyu akakura akasimba, akazara noungwaru, nechikomborero chaMwari chaive chiri paari. Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusaremu kumazuva makuru ePasika. Kuzoti Jesu ava namakore gumi namaviri, vakakwirako samaitiro avo. Zvino kuzoti mazuva makuru ePasika apera, vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara kuJerusaremu. Vabereki vake havana kuzviziva. Vakafamba rwendo rwomuswere wezuva vachifunga kuti ari mukati mavamwe vavaifamba navo. Vakazomutsvaga mukati mehama neshamwari dzavo. Zvavakamushaya vakadzokera Jerusaremu vachimutsvaka. Nezuva rechitatu vakazomuwana ari muTemberi agere pakati pavadzidzisi achiteerera zvavaitaura achivabvunzawo mibvunzo. Vose vakamunzwa vakashamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake. Vabereki vake, pavakamuona vakashamiswa kwazvo. Ipapo amai vake vakati, “Nhai mwanangu, wakaitireiko zvinhu zvakadai kwatiri? Tarisa uone Baba vako neni takatambudzika kwazvo tichikutsvaka.” Iye akavapindura achiti, “Chakaita kuti munditsvake kumwe kwese chii? Makanga musingazive here kuti ndinofanira kuva muimba yaBaba vangu?” Asi ivo havana kunzwisisa zvaakavataurira. Akadzika navo akasvika kuNazareti, kwaakagara navo achivateerera. Amai vake vakapfundira zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo. Zvino Jesu akakura muungwaru, nomumhu wake, nomukudiwa naMwari navanhu. Mugore regumi nerechishanu roumambo hwaSiza Tibheriasi, Pontio Pirato ari mutongi weJudhea, Herodhi ari mutongi weGarirea, munun'una wake Firipi ari mutongi wedunhu reIturea neTirakonitisi naRisaniasi ari mutongi weAbhirini, Anasi naKaifasi vari vapristi vakuru, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZakariya, ari mugwenga. Johani akapoteredza nenyika iri mhiri nemhiri kweJorodhani achiparidza ruombeko rwokuti vanhu vapinduke varegererwe zvitadzo zvavo. Sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ramazwi aIsaya muporofita zvichinzi, “Izwi reanodaidzira ari mugwenga achiti: ‘Gadzirirai mugwagwa waTenzi, ruramisai nzira dzake. Nhika dzose ngadzifusirwe, makomo nezvikomo zviparadzirwe; pakakombama paruramiswe nzira dzina magadhi dzinzi chechetere. Vanhu vose vachaona ruponeso rwaMwari.’ ” Naizvozvo akati kuhuzhinji hwavanhu vaiuya kwaari kuzoombekwa naye, “Imi vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize chirango chirikuuya? Naizvozvo berekai michero inowirirana nokupinduka kwenyu, uye musavambe kuzviti, ‘Tina Abhurahamu sababa vedu, nokuti ndinoti kwamuri, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva kumatombo aya. Zvino demo ratonangiswa parinotema midzi yemiti; naizvozvo muti wose usingabereki muchero wakanaka unotemwa uchikandwa mumoto.’ ” Ruzhinji rwavanhu rwakamubvunza rwuchiti, “Zvino toiteiko?” Akavapindura achivati, “Ane hanzu mbiri ngaagoveranewo naasina, naane zvokudya ngaaitewo zvimwechetezvo.” Vateresi vakauyawo kuzoombekwa vachiti, “Mudzidzisi, ko isu toiteiwo?” Iye akati kwavari, “Musaterese vanhu kupfuura pamakatemerwa.” Masoja akamubvunza achiti, “Ko isu, toiteiwo?” Iye akati kwavari, “Musatore zviro zvavanhu muchiita zvokupamba kana nokuvarevera nhema asi gutsikanai nemibayiro yenyu.” Zvino vanhu zvavakanga vava nechitarisiro, vose vachizvibvunza nechemumwoyo yavo nezvaJohani, vachifunga kuti zvimwe angadaro ari iye Mesia, Johani akavapindura vose achiti; “Hongu, ini ndinokuombekai nemvura, asi ane simba kupfuura ini ari kuuya. Ini handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake. Iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto. “Rusero rwake ruri muruoko rwake kuti aurutse zvapurwa paburiro rake, nokuunganidza koroni achiisa mudura rake, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimiki.” Nokudaro Johani akavaparidza Shoko Rakanaka achivakurudzira nenzira dzakasiyana — siyana. Asi Herodhi, mumwe wavatongi vana, zvaakatsiudzwa naJohani pamusana paHerodhiasi mukadzi womunun'una wake uye napamusana pezvakaipa zvose zvaakanga aita, akatowedzera zvakare pamusoro paizvozvi zvose nokuisa kwaakaita Johani mujeri. Vakati zvino vanhu vose vaombekwa, Jesu akaombekwawo. Achingunonamata denga rakazaruka, Mweya Mutsvene, aine muviri unenge wenjiva, akaburukira paari; izwi ndokubva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo ndiwe unondifadza zvikuru.” Zvino, iye Jesu panguva yaakatanga kuita basa rake akanga ana makore makumi matatu. Pakufunga kwavanhu vaiti mwanakomana waJosefi, mwanakomana waHeri, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMeriki, mwanakomana waJonai, mwanakomana waJosefi, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNahumi, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai, mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha, mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waSheatieri, mwanakomana waNeri, mwanakomana waMeriki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhamu, mwanakomana waEri, mwanakomana waJoshuwa, mwanakomana waEriezeri, mwanakomana waJorimu, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefi, mwanakomana waJonamu, mwanakomana waEriyakimu, mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waJese, mwanakomana waObhedhi, mwanakomana waBhoasi, mwanakomana waSara, mwanakomana waSarimoni, mwanakomana waNashoni, mwanakomana waAminadhabhu, mwanakomana waAdhimini, mwanakomana waArini, mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPerezi, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waTera, mwanakomana waNahori, mwanakomana waSerugi, mwanakomana waReu, mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbheri, mwanakomana waShera, mwanakomana waKainani, mwanakomana waArifakisadhi, mwanakomana waSemu, mwanakomana waNowa, mwanakomana waRameki, mwanakomana waMetusera, mwanakomana waEnoki, mwanakomana waJaredhi, mwanakomana waMaharareri, mwanakomana waKainani, mwanakomana waEnosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari. Zvino Jesu, azere naMweya Mutsvene, akadzoka achibva kuna Jorodhani. Akatungamirirwa naMweya mugwenga kwamazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Pamazuva iwayo haana chaakadya; zvino pakupera kwawo akaziya nenzara. Satani akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti ibwe iri rive chingwa.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga.’ ” Satani akamutungamidza oenda naye pakakwirira akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nakanguva kadukuduku, akachimuti; “Ndichakupa umambo hwose uhwu nomukurumbira wahwo nokuti zvakaturirwa kwandiri, uyezve ndinozvipa kune wandinenge ndichida. Naizvozvo, iwe ukandipfugamira zvose zvichava zvako.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako, umushandire iye oga.’ ” Akamutungamidzazve oenda naye Jerusaremu akandomumisa pachisuvi cheTemberi ndokumuti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano, nokuti zvakanyorwa zvichinzi; ‘Mwari achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete vachikudzivirira,’ uyezve ‘Vachakugama namaoko avo kuti urege kugumburwa tsoka yako nebwe.’ ” Jesu akamupindura achiti, zvakanzi, “Usaedze Tenzi Mwari wako.” Kuzoti Satani apedza mitoo yose yokumuedza nayo akambomusiya kusvikira pane imwe nguva. Zvino Jesu akadzokera Garirea ava nesimba raMweya; mukurumbira wake ukapararira kwose kwose munharaunda iyoyo. Akadzidzisa mumasinagogu avo achirumbidzwa navanhu vose. Zvino Jesu akauya kuNazareti kwaakanga arerwa. Akapinda musinagogu nomusi weSabata, samaitiro ake. Akasimuka kuti averenge ndokupiwa bhuku romuporofita Isaya. Akati aripetenura akawana pakanyorwa kunzi, “Mweya waTenzi uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo namapofu zvekusvinudzwa kwawo, nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa, uyezve kuparidza gore renyasha dzaTenzi.” Akazarira bhuku riya ndokuridzorera kumutariri, ogara pasi. Maziso avose avanhu vakanga vari musinagogu akaramba akamutarisa. Zvino akatanga kutaura kwavari achiti, “Nhasi uno, gwaro dzvene iri ramazvinzwira nenzeve dzenyu razadziswa.” Vose vakataura zvakanaka nezvake, uye vakashamiswa namazwi anotora mwoyo akabuda mumuromo make. Vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefi here?” Iye ndokuvati, “Ndine chokwadi chokuti munoda kundiitira tsumo iyi inoti, ‘N'anga zvirape.’ Muchindiudzawo kuti zviya zvatakanzwa, zvawakaita kuKapenaumu, zviitewo muno munyika mako.” Uye ndokuti, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika make. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri muIsiraeri makanga muine chirikadzi zhinji pamazuva aEriya, panguva iya yakapfigwa denga kukasanaya kwamakore matatu nemwedzi mitanhatu, kukava nenzara huru munyika yose, asi Eriya haana kutumwa kune imwe yadzo kusiya chete kune mukadzi aive chirikadzi kuZarefati munyika yeSidhoni. Uyezve muIsiraeri maiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yomuporofita Erisha asi hakuna nomumwe wavo akabviswa maperembudzi akachenurwa, kunze kwaNaamani muSiria.” Pakunzwa izvi, vose vakanga vari musinagogu vakazadzwa nehasha. Vakasimuka vakabva vamudzingira kunze kweguta, vakandosvika naye pamusoro pegomo, pakanga pakavakirwa guta ravo, kuti vamusaidzire kumawere. Asi iye akapfuura napakati pavo, ndokuenda zvake. Jesu wakazodzika Kapenaumu, guta reGarirea, kwaakadzidzisa vanhu pamusi weSabata. Vakashamiswa kwazvo nokudzidzisa kwake nokuti zvaaitaura zvaiva nechiremera. Musinagogu imomo maiva nomunhu aiva nomweya wakaipa wetsvina. Akazhamba nezwi guru achiti; “Aa! Ko tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva; kuti ndiwe ani; ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Chibva wanyarara ubude maari.” Kuzoti mweya wakaipa uya wambomurigira pasi, vose vachizviona; wakabuda maari usina kumbomukuvadza. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo, vakataurirana vachiti, “Ishokoi iri? Nokuti anoudza mweya yakaipa nechiremera nesimba, ichibva yabuda.” Mukurumbira wake wakanzwika mudunhu iro rose. Jesu akazosimuka obva pasinagogu ndokundopinda mumba maSimoni. Vambuya vaSimoni vakanga vachirwara kwazvo, muviri wavo uchipinda chando zvikuru. Vakavakumbirira kuna Jesu. Iye akandomira pedyo navo ndokutaurira denda kuti ribve mavari. Denda ndokubva ravasiya. Pakarepo vakabva vasimuka vakavashandira. Kuzoti zuva rovira, vose vaiva navarwere vana matenda akasiyana — siyana, vakauya navo kwaari, iye ndokuisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. Mweya yakaipa yakabuda muvazhinji ichidaidzira ichiti, “Iwe, ndiwe Mwanakomana waMwari.” Asi Jesu akaikarira asingaibvumiri kutaura nokuti yaiziva kuti iyeyu ndiye Kristu wacho. Kuzoti kwaedza Jesu akabvako oenda kunzvimbo isina vanhu. Uzhinji hwavanhu hwakamutsvaka. Vakauya kwaari vachiedza kumudzivisa kuti asabve kwavari. Asi Jesu akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzawo shoko rakanaka roumambo hwaMwari kuna mamwe maguta nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Ndokubva aparidza mumasinagogu eJudhea. Vanhu zvavakanga vachiti unga — unga padyo naJesu vachida kunzwa shoko raMwari, iye akanga akamira pamahombekombe egungwa reGenesareti. Akaona magwa maviri ari kumucheto kwegungwa asi vabvuvi vakanga vabuda maari, vava kusuka usvasvi hwavo. Jesu akapinda mune rimwe igwa raiva riri raSimoni, akamukumbira kuti asuduruke abve kumucheto zvishoma. Zvino akagara mugwa muya akadzidzisa vanhu vazhinji arimo. Kuzoti apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Enda kwakadzika, mudzikise usvasvi hwenyu mubate hove.” Simoni akapindura akati, “Mudzidzisi, tabinduka usiku hwose, tikasabata chinhu, asi pamusana pokuti mazvitaura ndichadzikisa usvasvi mumvura.” Vakati vaita izvozvo, vakakukuzva hove zhinji, usvasvi hwavo hukatenge hoda kubvaruka. Zvino vakaninira vamwe vavo, vaiva mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri zvokuti akanga oda kutonyura. Zvino Simoni Pita akati aona izvi, akazviwisira pasi pamabvi aJesu achiti, “Tenzi, ibvai henyu kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.” Nokuti iye, navose vaaiva navo, vakanga vashamiswa nokuwanda kwehove dzavakanga vabata. Ndizvo zvakaitawo vana Jemusi naJohani, vanakomana vaZebhedhi vaiita mushandirapamwe naSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatye hako, kubvira zvino uchava mubvuvi wavanhu.” Pavakasvitsa magwa avo pamahombekombe, vakasiya zvose vakamutevera. Akati ari mune rimwe guta hoyo mumwe murume akanga ana maperembudzi muviri wose akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nouso ndokumukumbira achiti, “Tenzi, kana muchida henyu munogona kundinatsa muchindichenura nokundirapa.” Ipapo Jesu akatambanudza ruoko rwake ndokumubata achiti, “Ndinoda, chichenurwa uporeswe hako.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera. Jesu akamukohomedza kuti asaudze munhu. Asi akati, “Enda, undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako, sokutemwa kwazvakaitwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.” Asi mukurumbira wake wakatopararira kwose kwose. Uzhinji hwavanhu hwakaungana kuzomunzwa nokuporeswa matenda avo. Asi Jesu aimbobva achienda kunzvimbo isina vanhu kundonamata. Rimwe zuva Jesu paakanga achidzidzisa, paiva navaFarisei navadzidzisi voMutemo, vakanga vagerepo vaibva mumisha yose yeGarirea neyeJudhea nokuJerusaremu. Simba raTenzi rokuporesa rakanga riinaye. Havo vamwe varume vakauya vakatakura pabanda, munhu akanga akatonhora mitezo, vakada kupinda naye nokumuisa pamberi paJesu. Pavakatadza kupinda naye pamusana pokuwanda kwavanhu vakakwira pamusoro pemba, vakabvisa mafendefa edenga remba, ndokumudzikisa ari pauvato pamberi paJesu mukati mavanhu. Zvino paakaona chitendero chavo, Jesu akati, “Hama zvitadzo zvako zvaregererwa.” Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko uyu anotaura achishonha Mwari? Ndiani angagone kuregerera zvitadzo kunze kwaMwari oga?” Asi Jesu akaona pfungwa dzavo akavapindura achiti, “Munofungireiko zvakadai mumwoyo menyu? Chakareruka ndechipi, kuti, ‘Waregererwa zvitadzo zvako,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ ” Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo, akati kuno munhu akanga akatonhora mitezo, “Ndinoti kwauri, simuka, utore uvato hwako, uende kumusha.” Pakarepo munhu uya akabva asimuka vose vachizviona, ndokutora chaakanga avete chiya ndokuenda kumusha achirumbidza Mwari. Vanhu vose zvakavakatyamadza kwazvo, vakarumbidza Mwari, uye vakaputirwa nokutya vachiti, “Nhasi taona zvinoshamisa.” Shure kwaizvozvo Jesu akabuda, ndokuona muteresi ainzi Revhi, agere pahofisi yomutero, ndokuti kwaari, “Nditevere.” Iye akasiya zvose, akasimuka ndokumutevera. Revhi akagadzirira Jesu mabiko makuru mumba make. Vateresi vazhinji navamwe vanhu vakagara navo pakudya. VaFarisei nenyanzvi dzoMutemo vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti, “Munodyireiko navateresi navatadzi, muchinwa navo?” Jesu akavapindura achiti, “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara. Handina kuuya kuzodaidza vakarurama kwete, asi vatadzi kuti vapinduke.” Vanhu vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji, vachiita minamato, navadzidzi vavaFarisei vanodarowo, asi venyu vanodya nokunwa.” Jesu akati kwavari, “Mungaite kuti vanhu vari pamuchato vatsanye, iye muwani vachinaye here? Asi mazuva achauya avachatorerwa muwani. Pamazuva iwayo ndipo pavachazotsanya.” Akavataurirazve nomuenzaniso achiti, “Hakuna munhu anobvarura jira rechigamba pahanzu itsva achichisonerera pahanzu tsaru. Kana akadaro achabvarura hanzu itsva, uyezve chigamba chehanzu itsva hachipindirani nehanzu tsaru. Hakuna munhu angadururire, waini itsva muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Kana akadaro, waini itsva inoputitsa zvigubhu izvozvo, waini ichadeuka nezvigubhu zvichaparadzika. Asi waini itsva inofanira kudirwa muzvigubhu zvitsva. Uye hakuna munhu anoti kana anwa waini yakare angazoda itsva, nokuti anoti, ‘Yakare ndiyo yakanaka.’ ” Zvakazoitika kuti nomumwe musi weSabata Jesu aifamba napakati peminda yekoroni, vadzidzi vake vaipurura hura dzekoroni vachidzipukutira mumaoko vachidya. Vamwe vavaFarisei vakati, “Munoitirei zvisingabvumirwi nomusi weSabata?” Jesu akavapindura akati, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi uya waakanga oziya iye navanhu vaaiva navo, kuti akapinda mumba yaMwari akatora zvingwa zvakasumwa kuna Mwari akazvidya akapawo vaaiva navo kunyange zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kusiya vapristi voga?” Ndokuti kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiMambo weSabata.” Zvakaitikazve kuti nerimwe Sabata Jesu akapinda musinagogu akadzidzisa, imomo maiva nomunhu akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakanyatsomutarisisa vachida kuona kuti angaporese here nezuva reSabata, kuti vawane mhosva yokumubata nayo. Asi iye akaziva zvavaifunga ndokuti kumunhu uya akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire apa.” Munhu uya ndiye kwanyanu, omira. Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinoda kumbokubvunzai, zvinobvumirwa here, pamusi weSabata, kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu hwomunhu kana kuti kuhuparadza?” Akaringa — ringa achitarisa vose ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akabva aita saizvozvo; ruoko rwake rukabva rwatasamuka. Asi ivo vakashatirwa zvikuru chaizvo vakarangana kuti vangaitei naJesu. Pamazuva iwayo Jesu akabuda akaenda kugomo kundonamata. Akapedza usiku hwose achinamata kuna Mwari. Kuzoti kwaedza, akadana vadzidzi vake akasarudza pakati pavo gumi navaviri, vaakatumidza zita rokuti vapositori. Kunoti Simoni waakatumidza zita rokuti Pita, naAndireya munun'una wake, kwoti Jemusi, naJohani, kwozoti Firipi, naBhatoromeo, tevere Mateu, naTomasi, kwouya Jemusi mwana waArifeo, naSimoni muZiroti, Ndokuzouyawo Judhasi mwana waJemusi, naJudhasi Isikariyoti uya akazova mupanduki. Zvino akaburuka navo akandomira panzvimbo yakati chechetere aina vadzidzi vake vazhinji nechita chikuru chavanhu vakabva muJudhea yose nomuJerusaremu nomunyika yeTire neSidhoni iri pedyo negungwa, vakanga vauya kuzonzwa zvaaitaura nokuporeswa matenda avo. Uye vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa vakaporeswa. Vanhu vose vaivapo vaivavarira kumubata nokuti simba rakanga richibuda maari richiporesa vose. Zvino Jesu akatarisa vadzidzi vake ndokuti, “Makakomborerwa zvenyu imi varombo nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu. “Makakomborerwa zvenyu imi mune nzara zvino nokuti muchazogutswa. Makakomborerwa imi munochema zvino nokuti muchazoseka. “Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikuvengai, vasingadi kufambidzana nemi, vachikunyombai vachiipisa zita renyu, sechinhu chakaipa, pamusana poMwanakomana womunhu! Farai pazuva iroro, muchipembera nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndinodaro nokuti ndizvozvowo zvakaita madzibaba avo kuna vaporofita. “Asi zvichakuwanai imi vapfumi nokuti kugarika kwamunako ndikoko kwese kwamatowana. “Zvichakuwanai imi munamaguta zvino nokuti muchazova nenzara. Zvichakuwanai imi munoseka zvino nokuti muchasuruvara nokuchema. “Zvichakuwanai imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka nezvenyu nokuti ndizvozvowo zvakaita madzitateguru avo kuna vaporofita venhema. “Asi kunemi makateerera ndinoti, Idai mhandu dzenyu, itirai zvakanaka vanokuvengai. Komborerai vanokurengererai rushambwa. Namatirai vanokunyombai. Kune anenge akurova padama mutendeudzirezve rimwe; munhu anokutorera bhachi rako usamurambire kana hembe yako. Ani naani anokukumbira chinhu mupe; uye anokutorera zvinhu zvako rega kunozvireva kwete. Zvamunoda kuti vamwe vakuitirei vaitireiwo saizvozvo. “Kana muchingoda vanokudai, munokodzera chitusoi? Nokuti kana vatadziwo vanoda vanovada. Uye kana muchiitira zvakanaka vanokuitirai zvakanaka munokodzera chitusoi? Nokuti kunyange vatadzi vanodarowo. Kana muchikweretesa vamunofunga kuti vanozokudzorerai munokodzera chitusoi? Kana vatadzi vanokweretesa vamwe vatadzi kuti vagodzorerwa zvakaenzana. Asi imi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka, mukweretese musingatarisire kuti muchadzorerwa, ipapo mubayiro wenyu uchazova mukuru uye muchazova vana voWokumusorosoro nokuti iye ano mwoyochena kuna vasingatendi nokuna vakaipa. Ivai netsitsi saBaba venyu vane tsitsi. “Musatonge vamwe, nemi hamuzotongwi, musape vanhu mhosva, nemi hamuzopihwawo mhosva. Regereranai, nemi mucharegererwawo. Ipai, nemi muchapiwa, muchadirirwa pamakumbo mwero wakanaka, wakatsindirwa, wakazunguzirwa, unomupfumvumvu; nokuti chiereso chamunoeresa nacho ndicho chamuchaererwa nacho.” Akazovataurirawo muenzaniso achiti, “Ko bofu ringatungamirire rimwe bofu here? Haangawire mugomba ose ari maviri here? Mudzidzi haasi mukuru panomudzidzisi wake. Asi kana munhu wose achinge anyatsodzidziswa anoita somudzidzisi wake. Ko unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni danda riri muziso mako. Kana kuti ungagone sei kuti kuhama yako, ‘Hama, rega ndikubvise kabanzu kari muziso mako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso mako?’ Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso mako, kuti unyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. “Muti wakanaka haubereki muchero wakaipa. Uyewo muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka. Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havatanhi maonde paminzwa kana magirepisi parukato. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvichibva muupfumi hwakanaka hwemwoyo wake. Nomunhuwo akaipa anobudisa zvakaipa zvichibva muupfumi hwakaipa hwemwoyo wake nokuti muromo unotaura zvinenge zvichibva mune zvizere mumwoyo make. “Seiko muchinditi, ‘Tenzi, Tenzi,’ imi musingaiti zvandinoreva? Munhu wose anouya kwandiri, achinzwa mazwi angu, achita zvaanoreva, ndichakuratidzai kuti akaita saani. Akafanana nomunhu akati avaka imba, akachera zvakadzama kwazvo, ndokuvakira ugaro hwayo paruware. Pakauya mafashafasha emvura, rukova rwukaroverera pamba iyoyo rukatadza kuizunguza nokuti yakanga yakanyatsovakwa. Asi uyo anonzwa mashoko angu asingaaiti, akafanana nomunhu akavakira imba yake pavhu, isina ugaro. Rukova rwakaroverera pairi, ikawa pakarepo, kuparara kwemba iyoyo kukava kukuru kwazvo.” Kuzoti Jesu apedza kutaura mashoko ake ose kuvanhu vakanga vakateerera, akapinda muKapenaumu. Zvino mumwe mutungamiri wezana aiva nomuranda waaida chaizvo. Muranda uyu akanga achirwara; ava kutoda kufa. Kuzoti mutungamiri wezana anzwa nezvaJesu, akatuma vakuru vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. Pavakasvika kuna Jesu, vakamukumbirisa vachiti, “Anokodzera kuti mumuitire izvi, nokuti anoda rudzi rwedu; ndiyezve akativakira sinagogu yedu.” Jesu akaenda navo. Kuzoti ava padyo neimba iyoyo, mutungamiriri wezana akatuma shamwari kwaari achiti, “Tenzi musazvinetse henyu, nokuti handikodzeri kuti mupinde mumba mangu, ndosakawo ndazviona ndiri asingakodzeri kuuya kwamuri. Asi ingotaurai izwi chete, muranda wangu achapora, nokuti ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo pasi pangu. Ndinoti kune mumwe, ‘Enda,’ achienda, kuno mumwe: ‘Uya,’ achiuya. Kumuranda wangu ndinoti, ‘Ita ichi,’ achichiita.” Jesu paakazvinzwa, akashamiswa naye, akatendeukira kuchita chavanhu chakanga chichimutevera, akati, “Ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handisati ndamboona chitendero chakadai.” Vakanga vatumwa vaya pavakadzokera kumba kuya vakandowana muranda uya ave wadi. Kubvezvo Jesu akaenda kune rimwe guta rainzi Naini; vadzidzi vake negurumwandira ravanhu vakaenda naye. Kuzoti ava kusvika pasuo guru reguta iroro, houno munhu akanga akatembedzanwa, akafa, mwana mukomana aive ari ndiye mwana mumwechete oga waamai vake, uye amai ava vaiva chirikadzi. Vanhu vazhinji veguta iroro vaivaperekedza. Tenzi paakaona amai ava, akasiririswa navo ndokuti kwavari, “Chiregai zvenyu kuchema,” ndokuswedera obata hwanyanza; vainge vakatakura chitunha ndokumira. Jesu ndokuti, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” Muchakabvu akamuka, ndokugara, ndokutanga kutaura. Iye ndokumupa kuna amai vake. Vanhu vose vakabatwa nokutya, vakarumbidza Mwari vachiti, “Muporofita mukuru akamutswa mukati medu, Mwari azoshanyira vanhu vake.” Nyaya iyi yaitaura nezvake yakapararira muJudhea yose nomumatunhu ose akapoteredza. Johani akaudzwa zvinhu zvose izvi navadzidzi vake, ndokudana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kuna Tenzi kundoti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” Varume ava zvavakasvika kwaari vakati, “Johani Muombeki atituma kwamuri, achibvunza kuti, ‘Ko ndimi here uya akanzi achazouya kana kuti tomirira mumwe?’ ” Nenguva yakareyo Jesu aiporesa vazhinji vaiva nezvirwere namatenda, achidzinga mweya yakaipa; achisvinudzawo mapofu mazhinji. Jesu akavapindura achiti, “Endai mundoudza Johani zvamaona nezvamanzwa, zvokuti mapofu avakusvinudzwa, mhetamakumbo dzavakufamba, vana maperembudzi vavakunatswa, vamatsi vavakunzwa, vakafa vavakumutswa, varombo vavakuparidzwa shoko rakanaka. Akakomborerwa munhu asingagumburwi neni.” Nhume dzaJohani dzakati dzabva, Jesu akatanga kutaurira ruzhinji rwavanhu nezvaJohani achiti; “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here? Zvino makaenda kundooneiko? Munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Inga wani munoziva kuti avo vanopfeka hanzu dzinokosha nokugara upenyu hwomutambaratede vari mumizinda yaMadzimambo. Ko zvino makaenda kundoonei? Muporofita here? Hongu, uyezve ndinoti kwamuri, munhu anotopfuura muporofita. Uyu ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi, “ ‘Tarira ndinotuma nhume yangu mberi kwako, ichafanogadzirira nzira yako pamberi pako.’ “Ndinoti kwamuri, pavanhu vose vakazvarwa navakadzi hakuna mukuru kupinda Johani. Zvakadaro zvazvo muduku wokupedzisira muumambo hwaMwari mukuru kwaari.” Pakunzwa izvi, vanhu vose navateresiwo vakapembedza ururami hwaMwari nokuombekwa kwavakanga vaitwa noruombeko rwaJohani. Asi vaFarisei nenyanzvi dzoMutemo nokusaombekwa kwavo naJohani, vakaramba zvakarongwa naMwari pamusoro pavo. “Ko vanhu vechizvarwa chino ndingavaenzanise neiko? Uye vakafanana neiko? Vakafanana navana vagere pamusika vachidaidzirana vachiti, “ ‘Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba, takaungudza asi hamuna kuchema.’ “Nokuti Johani Muombeki akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini, imi mukati, ‘Ane mweya wakaipa.’ Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa, moti munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.” Kudaro ungwaru hunoratidzwa kuti ndohwechokwadi navose vanohugamuchira. Mumwe wavaFarisei akamukoka kuti azodya naye. Jesu akapinda mumba yomuFarisei uyu ndokugara pakudya. Zvakaitika kuti mumwe mukadzi womugutamo aiva mutadzi paakanzwa kuti Jesu agere pakudya mumba yomuFarisei uya, akauya nechinu chomunyakwe wearabhasita chiina mafuta okuzora. Akasvikomira nechokumashure kwaJesu kutsoka dzake achisvimha misodzi, ndokutanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake achidzipukuta nevhudzi romusoro wake, uye akatsvoda tsoka dzake, nokudzizora namafuta aye. Pakuona izvi, muFarisei uya akanga amukoka, akazviti nechomumwoyo, “Dai munhu uyu anga ari muporofita, angadai aziva kuti mukadzi uyu anomubata ndiani, uye kuti mukadzi worudzii, nokuti mutadzi.” Jesu ndokudavira akati, “Simoni, ndine zvandinoda kutaura kwauri.” Simoni ndokumuti, “Taurai henyu, Mudzidzisi.” “Mumwe mukweretesi aiva navakwereti vaviri. Mumwe akakwereta mazana mashanu amadhenari mumwewo makumi mashanhu. Sezvavakanga vasisagoni kudzorera, akavaregerera vose vari vaviri. Ko, ndoupi pavanhu ava achamuda kupinda mumwe?” Simoni akamupindura achiti, “Ndinofunga kuti ndouya akaregererwa zvizhinji.” Jesu ndokumuti, “Wapindura zvazviri.” Zvino akatendeukira kumukadzi uya ndokuti kuna Simoni, “Unoona mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako, hauna kundipa mvura yokugeza tsoka dzangu asi iye anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake akadzipukuta nevhudzi rake. Iwe hauna kunditsvoda asi iye kubvira zvandapinda muno haana kurega kutsvoda tsoka dzangu. Iwe hauna kuzora musoro wangu namafuta asi iye azora tsoka dzangu namafuta anonhuhwirira. Ndinoti kwauri, zvitadzo zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti aratidza rudo rukuru; asi uyo anoregererwa zvishoma anoratidza rudo rushoma.” Jesu ndokuti kumukadzi uya, “Zvitadzo zvako zvaregererwa.” Ipapo vaya vakanga vagere naye pakudya vakatanga kuzviti, “Uyu ndianiko anoregererawo kunyange zvitadzo?” Iye ndokuti kumukadzi, “Chitendero chako chakuponesa, chienda zvako murugare.” Mushure maizvozvi Jesu akaenda nomumaguta nomumisha achiparidza nokushumaira Shoko Rakanaka roumambo hwaMwari. Akanga aina vane gumi navaviri vaya pamwechete namamwe madzimai akanga aponeswa kumweya yakaipa nokuzvirwere. Paiti Maria ainzi Magadharena akabviswa mweya yakaipa minomwe naJoana mudzimai waKusa, mushandi waHerodhi naSuzana navamwe vazhinji vaivariritira nezvinhu zvavo pachavo. Pakati paunganwa nechita chikuru chavanhu vachibva muguta neguta vachiuya kwaari, akavataurira nomuenzaniso uyu achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha, dzimwe dzakawira munzira dzikatsikwatsikwa netsoka dzikadyiwa neshiri dzedenga. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, asi padzakamera dzakaoma nokuti dzakanga dzisina unyoro. Dzimwe dzakawira muminzwa. Minzwa yakakurirana nadzo pamwechete ikadzivhunga. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikakura dzikabereka zvakapetwa kazana. Paaitaura izvi akadaidzira achiti, ‘Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe!’ ” Vadzidzi vake pavakamubvunza kuti muenzaniso uyo unorevei, iye akati, “Imi zvenyu makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwaMwari asi kuna vamwe inongova mienzaniso kuti kutarisa vatarise zvavo asi vasingaoni, uye kunzwa vanzwe zvavo asi vasinganzwisisi.” Izvi ndizvo zvinorehwa nomuenzaniso uyu: Mbeu ndiro izwi raMwari. Dziya dzaparutivi penzira ndivo vaya vakanzwa izwi asi Satani anouya wobvisa izwi iroro mumwoyo mavo kuti varege kudavira uye kuti varege kuponeswa. Dzakawira parukangarahwe ndivo vaya vanoti vakanga vanzwa izwi vanorigamuchira norufaro asi ava havana midzi. Vanodavira kwechinguvana asi panguva yezviedzo vanobva vahedhuka. Dziya dzakawira mukati meminzwa ndivo vaya vanonzwa asi pavanoenda vanovhungwa nokuzvidya mwoyo noupfumi namafaro oupenyu. Zvibereko zvavo hazvisviki. Dziya dzakawira muvhu rakanaka, ndivo vaya vanoti kana vanzwa shoko vanoribatisisa zviri pachokwadi nemwoyo wakanaka. Vanobereka zvibereko nokutsungirira. Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoukwidibira nomudziyo kana kuisa pasi pomubhedha asi anotouisa pachidzimikiro chomwenje kuti vanopinda vaone chiedza. Hapana chakavigwa chisingazoburitswa pachena kana chii zvacho chakavanzika chisingazozivikanwa chichiiswa pachena. Naizvozvo chenjererai manzwiro amunoita nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe uye asina achatorerwa kunyange chaanofunga kuti anacho. Kwakazouya amai vake navakoma navanun'una vake asi havana kukwanisa kusvika paari pamusana pechita chavanhu. Akataurirwa kuti amai venyu navakoma navanun'una naye vamire panze. Vanoda kukuonai. Asi iye akati kwavari amai vangu navakoma navanun'una vangu ndavavo vanonzwa shoko raMwari vachiita zvarinoreva. Rimwe zuva Jesu akapinda mugwa navadzidzi vake. Akati kwavari ngatiyambukirei kumhiri kwegungwa. Nezvo vakatangisa kuenda. Pavakanga vachienda kudaro Jesu akakotsira. Kwakauya dutu richivhuvhuta mugungwa. Igwa rakanga ravakuzara nemvura. Vakanga vava munjodzi. Vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi tava kuparara.” Akamuka akatsiura mhepo namasaisai namafungu anotyisa. Zvakabva zvaganhuka kukabva kwati dzika — dzika. Akavati, “Chitendero chenyu chiripi?” Vakabva vava kutya uye vakakatyamadzwa. Vakataurirana vachiti, “Ko uyu ndiani uyu anotoudza kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.” Vakazosvika kunyika yavaGerasini yakatarisana neGarirea. Paakangoti achiti budei mugwa akasangana nomunhu aibva muguta iroro aiva nomweya wakaipa. Kwenguva ndefu akanga asingapfeki hanzu. Akanga asingagari mumba asi aigara kumakuva. Paakaona Jesu akazhamba akawira pasi pamberi pake ndokudaidzira achiti, “Unei neni Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirisa zvangu kuti usandirwadzise.” Chikonzero ndechokuti Jesu akanga ati mweya wetsvina ubude mumunhu iyeyo nokuti kazhinji mweya wakaipa waimugara. Aigara akatochengetedzwa akasungwa nengetani namajoti asi aidambura zvisungo izvozvo achitinhirwa kurenje nomweya wakaipa. Ipapo Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akati, “Ndinonzi Hondo” nokuti mweya yakaipa yakawanda yakanga yapinda maari. Yakamuteterera kuti asaiendese kugomba rakadzikisisa. Zvino ipapo paiva nedanga renguruve dzakawanda dzaifura zvadzo mujinga megomo. Yakamukumbira kuti ipinde madziri. Akaibvumidza. Mweya yakaipa yakabuda mumunhu uya ikapinda munguruve dziya. Danga riya rakati ware roteremuka napamawere marefu ndiye rove rove mugungwa kunyura. Vafudzi pavakaona zvakanga zvaitika, ndokuti warewo kutiza; vakandotaura muguta nomumaruwa zvakanga zvaitika. Vanhu vakabuda kundoona zvakanga zvaitika. Vakauya kuna Jesu vakawana munhu uya makanga mabuda mweya yakaipa, akagara pasi patsoka dzaJesu akatopfekawo uye pfungwa dzake dzava pamwechete. Vakatya. Avo vakanga vazviona vakavataurira kuti uya akanga akagarwa nemweya yakaipa akaporeswa sei. Zvino vanhu vose vemunharaunda yenyika yeGerasini vakamukumbira kuti abve zvake kwavari nokuti vakabatwa nokutya kukuru. Nokudaro Jesu akapinda mugwa ndokubva adzokera. Murume uya akabviswa mweya yakaipa akakumbira kuti arambe ainaye, asi Jesu akamuti aende zvake achiti, “Dzokera kumusha kwako undorondedzera kuti Mwari akakuitira zvakadii.” Nokudaro akaenda achiparidza nomuguta rose kuti Jesu akanga amuitira zvakadii. Jesu paakadzoka, chita chavanhu chakamugamuchira nokuti vose vakanga vakamumirira. Hoyo mumwe murume anonzi Jairosi akanga ari mutongi wesinagogu akauya. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamukumbirisa kuti auye kumba kwake nokuti aiva nomwanasikana mumwechete oga aiva namakore anenge gumi namaviri akanga avakuda kufa. Paakanga achiendako, vanhu vakanga vakamukomberedza vakanga vachidzvinyirirana naye. Mumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri, akanga apedzera zvose zvaimuraramisa kun'anga asi hapana akakwanisa kumurapa. Akauya neshure kwake akabata mupendero wehanzu yake. Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda. Jesu akati, “Ndiani andibata?” Vose zvavakaramba, Pita “Tenzi, gurusvusvu ravanhu rakakutenderedzai uye riri kudzvinyirirana nemi!” Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata nokuti ndanzwa kuti simba rabuda mandiri.” Mukadzi uya paakaona kuti haana kuvandika, akauya achidedera akawira pasi pamberi pake akadura pachena pamberi pavanhuvose, kuti akanga amubatirei, uye kuti akabva aporeswa sei, pakare pakarepo. Jesu akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa chienda zvako norugare.” Paakanga achiri kutaura mumwe munhu akabva kumba kwomutungamiriri uya, akauya achiti, “Mwanasikana wenyu atofa chiregai kunge muchanetsa zvenyu mudzidzisi.” Asi Jesu paakanzwa izvi akapindura achiti, “Usatye tenda chete achaponeswa.” Pavakasvika pamba hapana waakabvumira kupinda naye kusiya Pita naJemusi naJohani naBaba naamai vomwana iyeyo. Vose vakanga vachimuungudza vachimuchema asi iye akati, “Musachema nokuti haana kufa, akakotsira.” Vakamuseka nokuti vaiziva kuti afa. Akabata musikana uya ruoko akadaidzira achiti, “Musikana muka.” Mweya wake wakadzoka akamuka pakarepo. Jesu akati ngaapiwe chimwe chinhu chokudya. Vabereki vake vakashamiswa zvikuru asi akavakohomedza kuti vasawane wavanotaurira zvakanga zvaitika. Jesu akadaidza vane gumi navaviri akavapa simba noukuru pamusoro pemweya yose yakaipa nesimba rokurapa zvirwere. Akavatuma kundoparidza umambo hwaMwari uye kundoporesa. Akati kwavari, “Musatakure zvinhu zverwendo zvinoti tsvimbo kana nhava kana chingwa kana mari. Musave nehembe mbiri. Imba ipi neipi yamunosvikira garai imomo kusvikira pamunobvapo. Kose kwavasingakugamuchirei, kana mobva muguta iroro gumai guruva retsoka dzenyu rive uchapupu kwavari.” Vadzidzi vakaenda nomumisha vachiparidza shoko vachiporesa kose kose. Herodhi mumwe wavatongi vana akanzwa zvose zvakanga zvaitwa zvakamupazanisa musoro nokuti zvainzi navamwe, ndiJohani akamutswa kuvakafa, vamwewo vachiti ndiEriya akazvionesa. Vamwewo vaiti mumwe wavaporofita vakare akanga amuka. Herodhi akati, “Johani ndakamudimbura musoro. Ko uyu ndiani wandinonzwa zvinhu zvakadai nezvake.” Naizvozvo aitsvaga kuti angamuone sei. Vapositori pavakadzoka vakamurondedzera zvavakanga vaita. Akavatora akaenda navo kwavo voga kuguta rinonzi Bhetisaidha. Voruzhinji pavakazvinzwa vakamutevera. Akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari. Akarapa vakanga vachida kurapwa. Zuva parakanga rodeuka vane gumi navaviri vakauya vakati kwaari, “Dai machiendesa vanhu mumamisha nomuruwa ruri munharaunda ino kuti vandorara nokuwana zvokudya nokuti matiri muno murenje.” Asi iye akati kwavari, “Vapei iyemi zvokudya.” Ivowo vakati tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete kunze kokunge tatondotengera vanhu ava vose chokudya. Izvozvo pakanga paine varume vainge zviuru zvishanu. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Itai kuti vanhu vagare pasi muzvikwata zvavanhu vanenge makumi mashanu pachikwata choga choga.” Vakaita saizvozvo. Vakagarisa vanhu vose pasi. Jesu akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri dziya akatarisa kudenga ndozvikomborera ndokuzvimedura akazvipa kuvadzidzi kuti vazvipe kuvanhu. Vanhu vose vakadya vakaguta. Vakanongera zvakanga zvasara zvikazadza tswanda gumi nembiri. Zvakaitika kuti zvaakanga achinamata oga, vadzidzi vakanga vanaye. Akavabvunza kuti, “Ko vanhu vanonditi ndini ani?” Ivo vakapindura vachiti, “Vamwe vanoti ndimi Johani Muombeki; vamwewo vachiti, ndimi Eriya vamwewo vachiti, muri mumwe wavaporofita vakare wakamuka.” Iye ndokuti kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu waMwari.” Akavatsindidza achivaudza kuti vasambotaurira izvi kana munhu zvake achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru agorambwa navakuru vakuru navaPristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu.” Jesu akati kuna vose, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake zuva nezuva achinditevera. Nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo nouyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu, achahuponesa. Nokuti zvinobatsireiko munhu kuwana zvinhu zvapasi pose asi achizvirasa achizviparadza iye pachake. Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu, Mwanakomana womunhu achamunyarawo kana wouya mumbiri yake nomumbiri yaBaba neyavatumwa vatsvene. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingambozoravira rufu vasati vaona umambo hwaMwari.” Mushure memazuva masere Jesu ataura izvi, akatora Pita naJohani naJemusi vakakwira mugomo kundonamata. Paakanga achinamata, uso hwake hwakasanduka, hanzu dzake dzikachena zvokungarikira kwazvo. Ndiye pakarepo varume vaviri, Mosesi naEriya vakanga vava kutaura naye, kutarisika kwavo kwaipenya. Vaitaura nezvokutisiya kwake kwaaizozadzisa kuJerusaremu. Zvino Pita navamwe vaaiva navo vakanga vabatwa kwazvo nehope. Pavakati pepu vakaona kupenya kwake navaviri vaya vamire naye. Varume vaya pavakanga vavakuparadzana naye, Pita akati kuna Jesu, “Tenzi, zvatinakira kuti tive pano. Regai tiite matumba matatu rimwe renyu, rimwe raMosesi nerimwe raEriya.” Akanga asingachazivi zvaaitaura. Paaitaura izvi, gore rakauya rikavafukidza vakabatwa nokutya pavaipinda mugore iroro. Izwi rakabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu musarudzwa wangu, munzwei.” Izwi riya parakanga rapedza kutaura, Jesu akazongoonekwa ava oga. Vakazvinyarara, hapana wavakataurira pamazuva iwayo pane zvavakanga vaona. Pazuva rakatevera racho, pavaiburuka mugomo, gungano guru rakasangana naye. Hoyo mumwe murume akadaidzira mugungano iroro achiti, “Mudzidzisi ndapota ndionereiwo mwanakomana wangu anongova ndiye mwana wangu mumwechete oga. Zvino mweya unongomubata obva ava kuzhamba uchimugwigwinisa kusvikira ava kupupa furo. Unomurwadzisa usingambomusiya. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kukwanisa.” Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi urwu, rudzi rusingatendi! Rudzi rwakarasika zvarwo, ndichava nemi kusvikira rinhiko ndichikuitirai mwoyo murefu? Chiuyai nomwana wenyu kuno.” Paakanga achiuya, mweya wakaipa wakamurigira pasi ukamupfurupfutisa. Jesu akatsiura mweya wetsvina akaporesa mukomana uya akamupa kuna baba vake. Vose vakakatyamadzwa noukuru hwaMwari. Pavakanga vachiri kushamiswa kudaro nezvose zvaakaita akati kuna vadzidzi vake. Regai mazwi aya anyatsopinda munzeve dzenyu okuti, “Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu.” Asi ivo havana kuzvinzwisisa zvaakataura kwavari. Zvakanga zvakavanzwa kwavari kuti varege kuzvinzwisisa uye vaitya kumubvunza zvaaitaura izvi. Pakamuka nharo pakati pavo yokuti ndiani mukuru kupinda vose. Jesu paakaona pfungwa dzaiva mumwoyo mavo akatora mwana muduku akamuisa parutivi pake. Akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muzita rangu anogamuchira ini uyewo ani naani anondigamuchira anogamuchirawo uyo akandituma nokuti uyo anenge ari muduku wokupedzisira pakati penyu mose ndiye mukuru iyeyo.” Johani akadavirawo woti, “Tenzi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti haasi wenzira imwechete nesu.” Jesu akati kwaari, “Musamurambidze nokuti munhu asingapikisani nemi ari kudivi kwenyu.” Mazuva paakanga osvika okuti Jesu achikwidzwa kudenga, akananga kuJerusaremu. Akatuma nhume pamberi pake dzakaenda dzikapinda munomumwe musha wavaSamaria kuti vamugadzirire. Asi vanhu ivavo havana kuda kumugamuchira nokuti akanga akananga kuJerusaremu. Vadzidzi vake, vana Jemusi naJohani pavakazviona vakati, “Tenzi munoda here kuti titi moto utozomoke kudenga uvaroromese?” Asi akatendeuka akavatsiura vakabva vaenda kunomumwe musha. Pavainge vachifamba nenzira, mumwe murume akati kwaari, “Ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru uye shiri dzedenga dzina matendere asi Mwanakomana womunhu haana kana pokutsamira musoro wake.” Akatiwo kunomumwe, “Nditevere.” Asi iye akati, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” Asi iye akamuti, “Rega vafi vavige vakafa vavo. Chako iwe kuenda kundoparidza umambo hwaMwari.” Mumwewo akati, “Ndichakuteverai, Tenzi, asi regai nditange ndambondoonekana nevari kumusha kwangu.” Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu anobata gejo asi iye achicheuka shure angakodzere umambo hwaMwari.” Mushure maizvozvi Tenzi akasarudza vamwe makumi manomwe akavatuma pamberi pake achivaita vaviri vaviri kuguta riri rose nenzvimbo dzose dzaainge iye achazoshanyira. Akavati kukohwa kwakawanda, asi vakohwi vashoma. Naizvozvo namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mubasa rake rokukohwa. Chiendai. Tarisai, ndiri kukutumai sehwayana mukati memhumhi. Regai kutakura chikwama kana nhava kana shangu. Musakwazise munhu panzira. Imba yose yamanopinda tangai mati, “Rugare ngaruve muimba ino.” Kana munhu wepo ari worugare, rugare rwenyu ruchava paari. Kana asiri worugare, rugare rwenyu ruchadzokera kwamuri. Garai muimba imwecheteyo, muchidya nokunwa zvavanokupai nokuti mushandi anokodzera mubayiro wake. Musatevedze nedzimba. Kana mukapinda muguta ripi zvaro vakakugamuchirai idyai zvavanokuperekerai. Rapai vanorwara mariri, muti kwavari umambo hwaMwari hwasvika pedyo nemi. Kanawo mukapinda muguta ripi zvaro, vakasakugamuchirai endai mumigwagwa yaro muti; “Kunyange guruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinorikuhumurira imi, zvakadaro zvazvo zivai izvi zvokuti umambo hwaMwari hwaswedera.” Ndinokutaurirai kuti pazuva guru rokutongwa zvichava nyore kuSodhomu pane kune guta iroro. Zvichakuwana zvako iwe Korozeini. Zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare. Vangadai vakatopfeka masaga vakagara pamadota. Zvichava nyore pazuva rokutongwa kune guta reTire nereSidhoni panemi. Ko iwe Kapenaumu, uchasimudzirwa kudenga nhai? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi. Anokuteererai anoteererawo ini; anokurambai ari kutoramba ini. Uyo anoramba ini anorambawo uyo akandituma. Vadzidzi makumi manomwe vakadzoka norufaro vachiti, “Tenzi, kunyange mweya yakaipa yava pasi pedu muzita renyu.” Asi Jesu akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa semheni inobva mudenga. Chionai ndakakupai simba kuti mutsiketsike nyoka namarize nokukunda simba rose romuvengi uye hapana chichakukuvadzai. Zvakadaro zvazvo musafarire izvi zvokuti mweya yava pasi penyu asi farirai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.” Panguva imwecheteyo Jesu akafara kwazvo aina Mweya Mutsvene akati, “Ndinokutendai, Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba aya madiro enyu akanakisa. Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba kana anoziva kuti Baba ndiani kusiya kwoMwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari.” Akazotendeukira kuvadzidzi akavataurira zvepachavo achiti, “Akakomborerwa zvawo maziso anoona zvamuri kuona. Ndinokutaurirai kuti vaporofita namadzimambo mazhinji vaida kuona zvamuri kuona asi havana kuzviona uye kunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.” Heyo nyanzvi yomutemo yakasimuka kuti imuedze ichiti, “Mudzidzisi ndingaiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi.” Jesu akati kwaari, “Ko mumutemo makanyorwa kuti kudii? Chii chaunoonamo pakuverenga kwako?” Iye akapindura achiti, munoti “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nemweya wako wose nesimba rako rose nepfungwa dzako dzose uye ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.” Iye akati kwaari, “Wapindura zvakanaka, chiita saizvozvo, uchararama.” Nokuda kuzviita munhu kwaye akati kuna Jesu, “Mumwe wangu ndiani?” Jesu akapindura achiti, “Mumwe murume aidzika kuJeriko achibva kuJerusaremu. Akawira mukati memakororo. Vakamubvisa hanzu dzake vakamurova vakaenda vachisiya ava kuda kufa. Zvakaitika kuti mupristi aidzika nomugwagwa iwoyo. Paakamuona akamunyenyeredza nokoko. Ndizvo zvimwechetezvo nomuRevhi, paakasvikapo akamuona akamunyenyeredzawo nokoko. Asi mumwe muSamaria aifambawo rwendo. Akasvikawo paakanga ari. Paakamuona, akamunzwira tsitsi. Akaenda paari akasunga maronda ake achiadira mafuta newaini. Akamukwidza pachipfuo chake akaenda naye kuhotera akamupepa. Mangwana acho akabvisa mari chena mbiri dzamadhenari akapa muridzi wehotera achiti, ‘Mupepei. Mari yamunenge mazoshandisa pamusoro peiyi, ndichakubhadharai kana ndodzoka.’ ” “Ndiani pakati pavatatu ava waunofunga kuti akaratidza kuti mumwe wouyo akawira mukati memakororo?” Iye akati, “Ndouyo akamunzwira tsitsi.” Jesu akamuti, “Chiendawo unoita zvimwechetezvo.” Pavakanga vachifamba rwendo rwavo, vakapinda mune mumwe musha. Mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make. Akanga ane munun'una ainzi Maria akagara pasi patsoka dzaTenzi achiteerera kuzvidzidziso zvake. Asi Marita akanga achikangaidzwa nokushanda kwakanyanya kwaaiita. Akaenda kuna Jesu akati, “Nhai Tenzi, hamuna hanya nazvo here zvokuti munun'una wangu ari kundirega ndichishanda ndoga. Mutaurirei andibatsire.” Tenzi akamupindura achiti, “Marita, Marita iwe, unozvidya mwoyo nokuzvinetsa nezvakawanda. Chinhu chimwechete chinodiwa. Maria asarudza chakanaka chacho chaasingazombotorerwa.” Zvakaitika kuti Jesu ainamata pane imwe nzvimbo. Paakapedza kunamata, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Tenzi tidzidziseiwo kunamata sokudzidzisa kwaiita Johani vadzidzi vake.” Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii, “ ‘Baba zita renyu ngariyereswe umambo hwenyu ngahuuye.’ Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva. Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu. Nokuti isu pachedu tinoregererawo vose vanotitadzira. Musatitungamirire mukuedzwa.” Jesu akati kwavari, “Ndiani wenyu ane shamwari inouya kwaari pakati pousiku yoti kwaari, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu nokuti imwe shamwari yangu iri parwendo yasvika, zvino handina chokumuperekera.’ Achapindura nechomukati achiti, ‘Usandinetse, gonhi rakiiwa; vana vangu neni tatovata; handichagoni kumuka kuti ndiwane chokukupa.’ Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda. Ndinokutaurirai kuti, “ ‘Kumbirai muchapiwa Tsvakai muchawana Gogodzai muchazarurirwa nokuti wose anokumbira anopiwa anotsvaka anowana uye anogogodza achazarurirwa.’ “Ndibaba vapi pakati penyu vanoti kana mwana wavo avakumbira hove vanomupa nyoka panze pokumupa hove. Uye kuti kana akumbira zai vomupa rize. Zvino kana imi vaipi kudai muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu; ko kutozoti Baba vokudenga, vanopa zvakadii Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira.” Jesu paaidzinga mumwe mweya wakaipa waiva mbeveve mweya wakaipa uya pawakabuda, mbeveve iya yakataura uye vanhu vakashamiswa. Asi vamwe vavo vakati anodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru jinda romweya yakaipa. Vamwewo vachida kumuedza vaitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga. Asi iye pamusana pokuziva zvaiva mupfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunenge huchizvirwisa hunoparara. Imba inenge ichizvirwisa inoputsika. Zvino kana Satani achizvirwisa, umambo hwake hunopamira sei. Nokuti imi murikuti ndinodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru. Kana ndichidzinga mweya yakaipa naBherizebhuru ko, vanhu venyu vanoidzinga nesimba raani. Ivo ndivo vachakukonesai. Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa nomunwe waMwari umambo hwaMwari hwasvika pamuri. “Kana murume akasimba achichengetedza muzinda wake, zvinhu zvake zvinochengetedzeka. Asi mumwe ane simba kukunda iye akamurwisa akamukurira anomutorera zvombo zvake zvokurwisa zvaaivimba nazvo achigova zvaanenge apamba. “Asineni ari kurwisana neni uyo asingaunganidzi neni anoparadza. “Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera. Kana washaya nzvimbo unoti, ndichadzokera kumba kwangu kwandakabva. Kana wasvika unowana yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa. Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogaramo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga.” Paaitaura izvi mumwe mukadzi akadaidzira gungano ravanhu achiti kwaari, “Yakakomborerwa zvayo nhumbu yakakuberekai namazamu amakayamwa.” Asi Jesu akati, “Ehe zvazvo, asi vakanyanyokomborerwa avo vanonzwa Shoko raMwari vachirichengeta.” Gungano ravanhu parakanga richimuti ungaunga akatangisa kuti, “Chizvarwa ichi chizvarwa chakaipa. Chinotsvaka chiratidzo asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona. Nokuti sezvakaita Jona kuva chiratidzo kuvanhu veNinivhe, ndizvozvo zvichaita Mwanakomana womunhu kuchizvarwa ichi. Mambokadzi wokuMaodzanyemba achasimuka achipa mhosva varume vechizvarwa ichi nokuti akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pane mukuru kupinda Soromoni. Varume veNinivhe vachasimuka padare vachimirisana nechizvarwa ichi vachichipa mhosva nokuti vakapinduka asika pano pane mukuru kupinda Jona. “Hakuna munhu anoti kana abatidza mwenje anouisa mudura kana kuukwidibira netswanda asi anouisa pachigadzikiro kuti vanopinda vaone chiedza. Ziso rako ndiro mwenje womuviri wako, zvino kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uzere chiedza. Kana risinawo kunaka muviri wako uzere nerima. Ipapo ngwarira kuti chiedza chako chirege kuva rima. Zvino kana muviri wako wose uzere chiedza usina pane rima unenge wakajeka wose zvawo sezvinoita rambi rinokupa chiedza nemwenje waro.” Paakanga achiri kutaura, mumwe muFarisei akamukoka kundodya naye. Naizvozvo akaenda akandogara naye pakudya. MuFarisei akashamiswa kuona kuti Jesu haana kutanga ashamba asati adya. Tenzi akati kwaari, “Imi vaFarisei, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati menyu muine upambi nouipi. Imi mapenzi, iye akaita kunze haana kuitawo mukati here? Ipai zvipo zvenyu zvichibva mukati menyu, zvose zvichava zvakachena kwamuri. Asi zvichakuwanai imi vaFarisei nokuti munobvisa chegumi patunhuwo zvatwo twakaita semindi neru netumirio asi imi musina hanya noruenzaniso norudo naMwari. Izvi ndizvo zvamaifanira kunge muchiita musingarege zvenyu kuita zvimwe. Zvichakuwanai zvenyu imi vaFarisei nokuti munoda chigaro chapamusoro mumasinagogu uye kukwaziswa pamisika. Zvichakuwanai zvenyu nokuti makaita samakuva asingaoneki, vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.” Rimwe gweta rakati kwaari, “Mudzidzisi mukutaura izvi muri kutotitukawo.” Iye akati, “Zvichakuwanaiwo iyemi nyanzvi dzomutemo nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema kutakura asi imi pachenyu hamutakuri mitoro iyoyo kunyange nomunwe wenyu chaiwo. Zvichakuwanai zvenyu nokuti munovaka makuva avaporofita vakauraiwa namadzibaba enyu. Nezvo muri zvapupu uye munobvumirana nezvakaitwa namadzibaba enyu nokuti ivo vakavauraya; imi munovaka makuva avo. Saizvozvo, Mwari, noungwaru hwake, akati, ‘Ndichavatumira vaporofita navapositori.’ Vamwe vachavauraya vachivatambudza kuti ropa ravaporofita vose rakadeurwa kubvira pamavambo enyika ripfukire chizvarwa chino, kubvira kuropa raAbhero kusvika kuropa raZakariya akauraiwa pakati peatari nenzvimbo inoera. Ndizvozvo chaizvo, zvandinokutaurirai, richapfukira chizvarwa chino. Zvichakuwanai imi magweta nokuti makabvisa kii yoruzivo. Imi hamuna kupinda uye makadziviridza vaida kupinda.” Paakanga ava kubva ipapo nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakatanga kumuomesera kuti vamunzwe mukanwa panezvinhu zvakawanda, vakamuhwandira kuti vamubate pane chimwe chezveanenge ataura. Panguva yose iyoyo; pakanga paungana zviuru zvakati kuti zvegungano ravanhu zvokutotsikirirana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisei, zvinoreva unyengedzi. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswi pachena kana chakavanzika chisingazozivikanwi. Naizvozvo zvose zvamunotaura murima zvichanzwikwa pachena uye zvamakataura nakazevezeve mudzimba dzomukati muchivande, zvichaparidzirwa pamatenga edzimba. “Ndinokutaurirai shamwari dzangu kuti, ‘Musatye avo vanouraya muviri asi mushure macho vasina chavanokwanisa kuita.’ Asi ndichakuyambirai wamunofanira kutya. Ityai uyo anoti kana auraya ane simba rokukanda munhu mugehena. Zvechokwadi, ndinokutaurirai kuti mutyei. Tushiri tudiki tushanu hatutengeswi namasendi maviri here? Asi hapana kana kamwe katwo kanokanganikwa naMwari? Inga wani kunyange vhudzi romusoro wenyu rakaverengwa. Musatye. Munokosha kupinda tushiri tuzhinji. “Ndinokutaurira kuti, ‘Munhu wose anondibvuma pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamubvumawo pamberi pavatumwa vaMwari.’ Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. Munhu wose anotaura zvakaipa nezveMwanakomana womunhu acharegererwa. Asi uyo anoshonha Mweya Mutsvene haaregererwi. “Kana vakakukwidzai matare omumasinagogu kana kumatare enyika kana kuvakuru vakuru venyika, musazvitambudze kuti muchapindura sei kana kuti muchapindurei kana kuti muchataurei; nokuti mweya Mutsvene achakudzidzisai panguva iyoyo zvamunofanira kutaura.” Mumwe wegungano riya ravanhu akati kwaari, “Mudzidzisi taurirai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Asi Jesu akati kwaari, “Nhaiwe, ndiani akandiita mutongi kana mugovanisi wenyu?” Akavati, “Chenjerai mungwarire ruchiva rwose nokuti upenyu womunhu hausi mukuwanda kwezvaanazvo.” Akazobva ovataurira mumwe muenzaniso achiti, “Munda womumwe mupfumi wakapa zvakawanda kwazvo.” Akafunga nechomumwoyo make achiti, “Ndichaita sei nokuti handina mokuchengetera mbesa dzangu.” Akati, “Zvandichaita ndezvizvi. Ndichapaza matura angu ndivake makuru ndigochengetera mbesa dzangu dzose imomo nezviro zvangu. Ipapo ndichazviti kumweya wangu, mweya une zvinhu zvakawanda zvichachengeteka kwamakore mazhinji. Nyatsogara zvako udye uchinwa uchinyatsofara zvako.” Asi Mwari akati kwaari, “Iwe benzi, ihwo usiku huno uchanzi tipe kuno mweya wako. Zvinhu zvawakazvigadzirira zvacho zvichava zvaani. Ndizvozvo zvina munhu anozvichengetera upfumi iye asiri mupfumi kuna Mwari.” Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka. Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri? Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo. Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi? Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki! “Regai kuti mwoyo yenyu irambe iri pakutsvaka zvokudya, kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana kuzvitambudza mwoyo. Marudzi ose apasi pano ndizvo zvavanotsvaka izvozvo. Baba venyu vanozviziva kuti munozvida. Asi imi tsvakai umambo hwake zvinhu izvozvi zvichavawo zvenyu. “Musatye henyu imi veboka diki nokuti Baba venyu vanotoda kwazvo kukupai umambo. Tengesai zvamuinazvo mupe zvipo kuvarombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari noupfumi kudenga husingaperi kusina mbavha inosvika kana chipfukuto chinoparadza, nokuti panenge pane upfumi hwako ndipo pane mwoyo wakowo. “Garai makakunyira nguwo dzenyu muchiuno makabatidza mwenje yenyu makaita savanhu vakamirira tenzi wavo kudzoka kumusha achibva kumuchato kuti vamuzarure pakarepo kana auya achigogodza. Vakakomborerwa varanda avo vanowanikwa naTenzi vakasvinura paanouya. Ndinokutaurirai zvechokwadi kuti achakunya nguwo dzake ovati vagare pakudya iye wouya achivaperekera; pangave pakati pousiku paanouya kana kuti nenguva yomurirakamwe chero achingovawana vakadaro vakakomborerwa zvavo varanda ivavo. Asi zivai izvi zvokuti dai kuri kuti saimba aiziva nguva inouya mbavha nayo angadai aigara akasvinura haairega imba yake ichipazwa. Nemiwo munofanira kugara makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingatarisiri.” Pita akati, “Tenzi, muri kuitira muenzaniso uyu isu kana kuti muri kuuitira vanhu vose here?” Tenzi akati, “Ndoupi, zvino, mutariri akatendeka uye akangwara anoiswa natenzi pabasa rokutarira vomumusha make kuti avape mugove wavo wechokudya nenguva kwayo? Akakomborerwa muranda uyo anoti kana Tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo. Zvechokwadi ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo. Asi muranda uyo akazviti, Tenzi, wangu anonoka kuuya. Iye wotangisa kurova varanda vechirume nevechikadzi achidya nokunwa achiraradza tenzi womuranda iyeyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi. Achamuranga achizomuisa kuna vasingatendeki. Muranda uyo anoziva zvinodiwa natenzi wake asi asina kugadzirira kana kuita zvinodiwa naTenzi wake acharohwa zvikuru. Asi uyo akaita zvinokodzera kuti arohwe, acharohwa hake zvishoma. Munhu wose anopiwa zvakawanda, kwaari kunotarisirwawo zvakawanda. Kunouyo akaturirwa zvizhinji vanotarisirawo kwaari zvakatowandisa. “Ndakauya kuzokanda moto panyika. Ndinodisisa seiko kuti dai wakatobatira. Ndine ruombeko rwandinofanira kuombekwa narwo uye kuti ndinodisisa seiko kuti dai rwaitwa. Regai kufunga kutoti ndakauya kuzounza rugare panyika. Ndinokutaurirai kuti kwete asi kuti ndakaunza kuparadzanisa. Kubvira zvino mumba mumwechete muchava navashanu vakapararana. Vatatu vachipesana navaviri. Vaviri vachipesana navatatu. Baba vachapesana nomwanakomana, mwanakomana achipesana nababa. Amai vachapesana nemwanasikana. Mwanasikanawo achapesana naamai vake. Vamwene vachapesana nomuroora; muroora achipesanawo navamwene vake.” Jesu akati kuruzhinji rwavanhu, “Kana mukaona gore richikwira richibva kumadokero munobva mati kuchanaya. Izvo zvichibva zvaitikawo. Kana mukaona mhepo yokumaodzanyemba ichivhuvhuta munoti kuchapisa zvakanyanya, zvichibva zvaitika. Imi vanyengedzi, munoziva kududzira mamiriro anenge akaita kunze panyika nomudenga asi sei musingazivi kududzira zvenguva ino? “Munoregerei kuzvifungirawo pachenyu zvakanaka. Pamunenge muchienda kudare neanenge akukwirira dare edza kuyanana naye muchiri munzira nokuti angadaro akakukwekweretsera kumutongi; mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, mupurisa achizokuisa mujeri. Ndinokuudza kuti haumbofa wakabuda kusvikira wabhadhara sendi rokupedzisira.” Panguva iyoyo pane vamwe vakanga varipo vakataurira Jesu nezvavaGarirea vane ropa rakasanganiswa nezvibayiro zvavo naPirato. Akavapindura achiti, “Munofunga kuti vaGarirea ivavo vakanga vari vatadzi kupfuura vamwe vaGarirea vose here zvavakatambudzika kudaro? Ndinoti, ‘Kwete.’ Asi imi mukarega kutendeuka muchapararawo mose saizvozvo. Kana vaya gumi navasere vakawirwa neshongwe yomuSirowamu ikavauraya; munofunga kuti vakanga vari vatadzi kupinda vamwe vose vaigara muJerusaremu here? Ndinokutii, ‘Kwete.’ Asi imi, mukasatendeuka muchapararawo mose saizvozvo.” Jesu akavataurira muenzaniso uyu, achiti, “Mumwe munhu akanga ane muonde wakasimwa mubindu rake ramagirepisi. Akauya achitsvaka muchero pauri akaushaya.” Akati kumurimi wamagirepisi. “Tarisa uone, kwamakore matatu aya ndakauya ndichitsvaka muchero pamuonde uyu asi hapana chandinowana. Uteme. Ungatambisirei zvawo ivhu.” Iye akamupindura achiti, “Chimbouregai zvenyu, changamire, kwegore rinozve, kusvikira ndautimbira uye ndauisa mupfudze. Kana ukabereka muchero gore rinouya zvakanaka; kana usina moutema zvenyu.” Jesu akanga achidzidzisa mune imwe sinagogu musi weSabata. Maiva nomumwe mudzimai aiva nomweya wakamuitisa ndonda kwamakore gumi namasere. Akanga akakombama asingagoni kuzvitwasanudza. Jesu paakamuona akamudaidza akati kwaari, “Mai masunungurwa paurwere hwenyu.” Akaisa maoko ake paari. Pakarepo akatwasanudzwa. Akabva arumbidza Mwari. Asi mukuru wapasinagogu zvakamugumbura nokuti Jesu akanga arapa pazuva reSabata. Akati kuvanhu, “Kuna mazuva matanhatu anogona kuitwa basa, uyai pamazuva iwayo muzorapwa, kwete musi weSabata.” Tenzi akamupindura achiti, “Imi vanyengedzi, mose zvenyu, hamusununguri here mombe yenyu kana dhongi renyu kubva mokudyira pamusi weSabata muchiritungamirira kundomwa mvura. Ko zvino mudzimai uyu, mwanasikana waAbhurahamu akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haafaniri kusunungurwa here mumusungo uyu pamusi weSabata?” Paakataura izvi mhandu dzake dzose dzakanyadziswa asi vanhu vose vakafara nezvinhu zvose zvino mukurumbira zvaakaita. Jesu akazoti, “Umambo hwaMwari hungafananidzwe nei, ndingauenzanise neiko? Hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akandoidyara mubindu rake. Yakakura ikava muti. Shiri dzedenga dzakaita matendere mumapazi awo.” Akatizve umambo hwaMwari ndingahauenzanise nei? Hwakaita sembiriso yakatorwa nomudzimai akakanya muzviero zvitatu zvoupfu kusvikira zvatutuma. Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa ari parwendo rwake rwokuenda kuJerusaremu. Pano mumwe akati kwaari, “Tenzi, vachaponeswa vashoma here?” Iye akati kwavari, “Vavarirai kupinda napamusuo wakamanikana, nokuti ndinokutaurirai kuti, vazhinji vachaedza kupinda asi vachakundikana. Muridzi wemba akangosimuka chete akazarira musuo muchatangisa kumira kunze muchigogodza muchiti, ‘Tenzi tizarurireiwo.’ Achakupindurai achiti, ‘Handikuzivei kwamunobva.’ Ipapo muchatanga kuti, ‘Inga taidya nokunwa nemi uye maidzidzisa mumigwagwa yedu wani,’ asi iye achati ndinokuudzai kuti, ‘Handikuzivei kwamunobva. Ndibvirei pano imi vaiti vezvakaipa.’ Ikoko vachachema vachirumanidza mazino kana moona Abhurahamu naIsaki naJakobho navaporofita vose vari muumambo hwaMwari asi imi madzingirwa kunze. Vanhu vachauya vachibva kumabvazuva nokumadokero uye vachibva kuchamhembe nokumaodzanyemba vachizogara pakudya muumambo hwaMwari. Chinzwai, kuno vamwe vari vokupedzisira vachava vokutanga. Vamwewo vokutanga vachazova vokupedzisira.” Panguva iyoyo vamwe vaFarisei vakauya vakati kwaari, “Chibvai kuno nokuti Herodhi ari kuda kukuurayai.” Iye akati kwavari, “Endai mundotaurira gava iroro kuti, ‘Ndiri kudzinga mweya yakaipa ndichaporesa nhasi namangwana, pazuva retatu ndobva ndapedza basa rangu.’ Izvo zviri izvowo zvokuti ndinofanira kumbofamba parwendo rwangu nhasi namangwana nezuva ramangwana acho nokuti hazviite kuti muporofita apararire kunze kweJerusaremu.” “Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai! Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo asi wakaramba. Chiona, imba yako yasiiwa yava dongo. Ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ” Nerimwe zuva reSabata, Jesu paakaenda kune imwe imba yomumwe mutongi aive webato ravaFarisei. Vakanga vachiongorora zvaachaita. Hezvo pakava nomumwe murume aiva nechirwere chemhuka. Jesu akataura kunyanzvi dzomutemo navaFarisei achiti, “Zviri pamutemo here kana kuti kwete kuporesa nomusi weSabata?” Asi vakaramba vanyerere. Ipapo akamutora akamuporesa akamuti aende zvake. Akati kwavari, “Ndiani wenyu angati ane mwanakomana wake kana mombe yake inenge yawira mutsime asingabva aikwevera kunze nezuva reSabata.” Havana kukwanisa kupindura izvi. Akapa muenzaniso kune vakakokwa paakanga aona vachisarudza zvigaro zvavakuru vakuru achiti kwavari, “Kana uchinge wakokwa nani zvake kumabiko omuchato, rega kugara pachigaro chavakuru vakuru. Pangadaro pakakokwa munhu mukuru kupfuura iwe. Zvino iye akukokai mose angauye oti kwauri chipa nzvimbo yako kune munhu uyu. Ndipo paunozotangisa, kundogara pachigaro chevepasi pasi uchinyara. Asi kana wakakokwa enda undogara panzvimbo yapasi pasi kuitira kuti uya akukoka akauya, ati kwauri, ‘Shamwari kwira kumusoro.’ Unobva waremekedzwa pamberi pavanhu vose vagere pakudya newe, nokuti munhu wose anozvikudza achaninipiswa. Nouyo anozvininipisa achakudzwa.” Akataurirawo munhu akanga amukoka achiti, “Kana wagadzira chokudya kana mabiko, rega kukoka shamwari dzako kana vakoma navanun'una vako, kana hama dzako kana kuti vavakidzani vako vapfumi nokuti vangadaro vakazokukokawo uchizoripwa. Asi kana waita mabiko, koka varombo nezvirema nemhetamakumbo, namapofu. Uchakomborerwa nokuti havagoni kuzokudzorerawo. Unozodzorerwa pakumuka kwavakarurama.” Mumwe munhu akanga agere naye pakudya paakanzwa izvi, akati kwaari, “Akakomborerwa zvake achadya zvokudya muumambo hwaMwari.” Asi Jesu akati kwaari, “Mumwe munhu akaita mabiko makuru, akakoka vanhu vakawanda.” Panguva yamabiko akatuma varanda vake kune vakanga vakokwa vaya achiti, “Chiuyai, zvinhu zvose zvino zvagadzirwa; asi zvimwechetezvo, vose zvavo, vakatanga kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndatenga purazi, ndinofanira kundoiona, ndinokumbira kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndatenga zvipani zvamadhonza zvishanu, ndinofanira kuenda ndimbondoaedza. Ndinokumbirai kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndaroora mudzimai nezvo handigoni kuuya.’ Saizvozvo muranda akauya akataurira izvi kuna tenzi wake. Saimba akashatirwa akati kumuranda wake, ‘Kurumidza kuenda kumigwagwa yeguta nomumikoto yaro uunze varombo navakaremadzwa namapofu navakaremara.’ Muranda akati, ‘Changamire zvamati zviitwe zvaitwa asi nzvimbo ichiripo.’ Tenzi akati kumuranda, ‘Enda kumigwagwa nomumaheji ugombedzere vanhu kupinda kuti imba yangu izare. Nokuti ndinokutaurirai kuti hapana kana nomumwechete waavo vakakokwa acharavira mabiko angu.’ ” Vanhu vazhinji — zhinji vaifamba pamwechete naJesu. Akatendeuka akati kwavari, “Kana munhu akauya kwandiri iye asingabvisi mwoyo wake pana baba naamai vake nomudzimai wake navana vake navakomanavanun'una nehanzvadzi dzake uye ndinototi kunyange upenyu hwake, haakwanisi kuva mudzidzi wangu. Ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haakwanisi kuva mudzidzi wangu. Ndiani wenyu anenge achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi achiverenga mari yaingadye kuti ane inokwana kuipedza here? Zvingaitike kuti iye achera ugaro hwayo wotadza kuipedza. Vose vanoiona vanotanga kumuseka vachiti, ‘Murume uyu akatangisa kuvaka asi akatadza kupedza.’ Kana kuti ndoupi mambo anenge ava kuda kuenda kundorwisana nomumwe mambo, asingatangi agara pasi achimbobvunza mazano kuti angagone here nezviuru gumi kundorwisana neane zviuru makumi maviri? Kana zvisingagoneki, mumwe uya achiri kure, iye anotumira mumiriri wokukumbira zvokuti pave norunyararo. Naizvozvo aninani asingasiyi zvose zvaanazvo haakwanisi kuva mudzidzi wangu.” Munyu wakanaka. Asi kana munyu warungunduka unozovaviswa nei. Unenge usisina basa kumunda, kana pamupfudze. Vanhu vanourasa. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. Zvino vateresi navatadzi vakanga vachiungana vose kuti vamunzwe. VaFarisei nenyanzvi dzomutemo vakanyunyuta vachiti munhu uyu anogamuchira vatadzi achidya navo. Nokudaro Jesu akavataurira muenzaniso uyu achiti, “Ndoupi munhu pakati penyu anenge ane zana rehwai, akarasa imwechete yadzo, asingasiyi makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe kumafuro achienda kundotsvaka yakarasika iya kusvikira aiwana? Kana aiwana anoitakura pamafudzi ake achifara. Paanosvika kumusha anodaidza shamwari dzake navavakidzani vake ovati, ‘Farai pamwechete neni nokuti ndawana hwai yangu yakanga yarasika.’ Naizvozvowo ndinokuudzai kuti pachava nomufaro mukuru kudenga wokufarira mutadzi mumwechete anopinduka kupfuura kufarirwa kunoitwa makumi mapfumbamwe ana vapfumbamwe avanhu vakarurama vasina chavangadire kupinduka. “Kana kuti ndoupi mudzimai anenge ane mari chena yamadhirakima gumi, akarasa rimwechete rawo; haabatidzi mwenje here achitsvaira imba nokutsvagisisa mari iyoyo kusvikira aiwana? Kana aiwana anodaidza shamwari dzake navavakidzani vake achiti, ‘Farai neni nokuti ndawana mari yandakanga ndarasa.’ Saizvozvowo ndinokutaurirai, kuti pachava nokufara kukuru pakati pavatumwa vaMwari kokufarira mutadzi mumwechete anotendeuka.” Akatizve, “Kwaiva nomumwe murume aiva navanakomana vaviri. Muduku akati kuna Baba vake, ‘Baba, chindipai mugove wenhaka yangu.’ Baba vakakamuranisa zvinhu zvavo zvavairarama nazvo pavanakomana vaya. Kusati kwambopera mazuva akawanda, munun'una akaunganidza zvinhu zvake zvose ndokupinda murwendo rwokuenda kunyika iri kure kure. Ikoko akandoparadza zvinhu zvake zvose zviya muupenyu hwounzenza. Paakapedza kudya zvose, kwakamuka nzara huru munyika iyoyo. Naiyewo akatanga kushaiwa. Akaenda akandozvipereka mumaoko omumwe mugari wenyika iyoyo. Iye akamutumira kuminda yake kuti apote achipa nguruve chokudya. Angadai akatofara kudya mateko aidyiwa nenguruve asi hapana kana akamupa kana chinhu zvacho. Paakazobengenuka akazviti, ‘Vangani vashandi vababa vangu vane chokudya chakakwana vachitosia zvavo asi ini ndichifa nenzara kuno.’ Ndichasimuka ndiende kuna Baba vangu ndigondoti kwavari, ‘Baba ndakatadzira denga uye ndatadzawo kwamuri. Handichakodzeri kuti ndinzi mwana wenyu. Chindibatai somumwe wavashandi venyu.’ Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi iye achiri chinhambwe, baba vake vakamuona vakanzwa tsitsi. Vakamhanya ndokusvikomuti mbunde vakamutsvoda. Mwana uya akati kwavari, ‘Baba, ndakatadzira Wedenga uye ndakakutadzirai. Handichakodzeri kuti ndinzi mwana wenyu.’ Asi baba vakati kuvashandi vavo, ‘Kurumidzai kuuya negemenzi rakanakisisa mumupfekedze; muise ringi mumunwe wake neshangu mumakumbo, muuyewo nemhuru iya yakakodzwa muibaye, tidye tichifara nokuti mwana wangu uyu akanga afa ava mupenyu zvakare, akanga arasika zvino awanikwa.’ Ndokubva vatanga zvavo kufara zvikuru. “Izvozvo mwanakomana wavo mukuru akanga ari kumunda. Paakanga achiuya ava kusvika pedyo nemba akanzwa mumhanzi nokutamba. Akadaidza mumwe mushandi akamubvunza kuti chaiva chii. Akamuti, ‘Munun'una wenyu wauya. Baba venyu vabaya mhuru iya yakakodzwa nokuti vamugamuchirazve ari mutano.’ Asi iye akashatirwa akaramba kupinda. Baba vake vakauya vakamuteterera. Asi iye akapindura baba vake achiti, ‘Tarirai muone kuti kwamakore mazhinji aya ndakakushandirai asi handina kumboramba kukutererai zvamaindiudza. Asi imi hamuna kana kumbondipa kana kambudzana zvako kokuti ndifare neshamwari dzangu. Asi pangouya mwana wenyu uyu akapedza zvinhu zvenyu zvinokuraramisai nepfambi, mabva mamubaira mhuru yakakodzwa.’ Baba vakati kwaari, ‘Mwanangu uneni nguva dzose uye zvangu zvose ndezvako. Zvanga zvakanaka kuti tipembere kwazvo tichifara nokuti munun'una wako uyu akanga afa zvino ava mupenyu, akanga arasika zvino awanikwa.’ ” Jesu akatiwo kuvadzidzi vake. “Kwaiva nomumwe murume mupfumi aiva nomutariri. Akacherwa kwaari kuti murume uyu akanga achimuparadzira zvinhu zvake. Akamudaidza akamuti, ‘Chii ichi chandiri kunzwa nezvako? Ndipire nezveutariri hwako ndinzwe nokuti hauchavi mutaririzve.’ Mutariri uya akazviti ndichaita sei Tenzi wangu zvaava kundibvisa pautariri? Simba rokutimba handina uye kukumbira ndinonyara. Ndafunga zvokuita kuti vanhu vazondigamuchira mudzimba dzavo pandinenge ndabviswa pautariri. Akadaidza vaiva nezvikwereti naTenzi wake mumwechete mumwechete. Akati kune wokutanga, ‘Une chikwereti chakadii kuna Tenzi wangu?’ Iye akati, ‘Ndine zana remigomo yamafuta.’ Akati kwaari, ‘Tora katsamba kechikwereti chako ugare pasi nokuchimbidza unyore makumi mashanu.’ Akatiwo kune mumwe, ‘Ko iwe unechikwereti chakadii?’ Iye akati, ‘Mabhagidhi zana ekoroni.’ Akamuti, ‘Tora katsamba kako kechikwereti unyore makumi masere.’ Tenzi akarumbidza mutariri asina kutendeka uya nokuti vanhu vapanyika pano vanoziva mano avanoitirana nevechizvarwa chavo kukunda vana vechiedza. Ndinokutii, ‘Itai ushamwari muchishandisa mari isina zvayo kururama kuti kana yopera vakugamuchirei mudzimba dzokugara nokusingaperi. Munhu anovimbika mune zvidiki anovimbika mune zvikuru. Uyowo asingavimbiki mune zvidiki haavimbikiwo mune zvikuru. Zvino kana usingavimbiki munezvemari isina kururama zvayo, ndiani angakuchengetese upfumi hwechokwadi? Zvino kana usina kuvimbika nechinhu chomumwe ndiani angakupe zvako pachako?’ “Hapana muranda anogona kushandira vatenzi vaviri nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe kana kuti kwati kwati nomumwe achishora mumwe wacho. Haugoni kushandira Mwari uye mari.” VaFarisei vaidisa mari, vakanzwa zvose izvi vakamuseka. Asi akati kwavari, “Imika ndimi munozviita vakanaka pamberi pavanhu asi Mwari anoziva mwoyo yenyu nokuti chinorumbidzwa navanhu chinosemesa pana Mwari. “Mutemo navaporofita zvaivapo kusvikira pana Johani. Kubvirawo ipapo Shoko Rakanaka roumambo hwaMwari rinoparidzwa, munhu wosewo ari kuita zvokumanikidzira kupindamo. Asi zviri nyore kuti denga napasi zvipfuure panokuti kabhii kadikidiki zvako koMutemo kashaye basa. Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe anoita upombwe. Nouyowo anoroora mukadzi akarambwa nomurume wake anoita upombwe. “Kwaiva nomumwe murume mupfumi aipfeka hanzu dzoruvara rwehute nedzerineni yakanakisisa achidyiririra zvikuru zuva nezuva. Asi pasuo rake guru paigara pakanzi rabada nomumwe murume murombo ainzi, Razaro akanga ari maronda oga oga. Aida kudya zvaidonha pateburu yomupfumi, uye imbwawo dzaiuya dzichimunanzva maronda ake. Murombo uya akafa akatakurwa navatumwa kunzvimbo yepedyo pedyo nechipfuva chaAbhurahamu. Mupfumi uya akafawo akandovigwa. Ari munzvimbo yavakafa achirwadziwa, akasimudza musoro akaona Abhurahamu ari kure kure aina Razaro pedyo pedyo nechipfuva chake. Akadanidzira achiti, ‘Baba Abhurahamu ndinzwirei tsitsi mutume Razaro kundonyika muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu nokuti ndiri kurwadziwa murimi iri romoto.’ Abhurahamu akati, ‘Mwanangu yeuka kuti panguva youpenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvakanaka. Ndizvozvowo zvimwechetezvo naRazaro, akawana zvakaipa; asi zvino ari kunyaradzwa kuno iwe uri mukurwadziwa. Handizvo chete, pakati pedu nemi pakaiswa zigoronga kuti vanoda kuyambukira kwamuri vachibva kuno vakundike uye kuti pashaye anoyambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’ Akati, ‘Saka ndinokukumbirai baba, kuti mutume Razaro kumba kwababa vangu nokuti ndine vakoma navanun'una vashanu kuti andovayambira nokuti vangadaro vakauyawo kunzvimbo ino yokurwadziwa.’ Abhurahamu akati, ‘Vana Mosesi navaporofita, ngavateerere ivavo.’ Iye akati, ‘Kwete Baba, Abhurahamu. Asi kana mumwe munhu akaenda kwavari achibva kune vakafa vanopinduka.’ Abhurahamu akati kwaari, ‘Kana vakarega kunzwa Mosesi navaporofita havambotendi kana mumwe munhu akamuka achibva kuvafi.’ ” Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinokonzera vamwe kuita zvakaipa hazvimborega kuvapo. Asi zvichamuwana iye anozviunza. Zvaitova nani kuti asungirirwe guyo mumutsipa make achindokandwa munyanza panze pokuti akonzere mumwe wavaduku ava kuti atadzire Mwari. Zvichenjererei imi pachenyu; kana hama yako ikakutadzira, itsiure. Kana ikapfidza iregerere. Uye kana akakutadzira kanomwe pazuva akauya kwauri kanomwe achiti ndapfidza. Unofanira kumuregerera.” Vapositori vakati kuna Tenzi, “Tiwedzereiwo chitendero chedu.” Tenzi akati, “Dai muine chitendero chakaita setsanga yemasitadhi, maigona kuti kumuonde uyu dzipuka undosimwa mugungwa uchikuteererai. “Pane mumwe wenyu here ano muranda anenge achirima kana kufudza hwai, angati kwaari kana abva kumunda, ‘Chibva wauya ugare pakudya?’ Haasi anototi here, ‘Ndigadzirire chokudya chamanheru upfeke undiperekere, kusvikira ndadya ndikanwa, iwe wozodyawo nokunwa mushure macho?’ Anotenda muranda here nokuti aita zvaaudzwa? Nemiwo, kana maita zvamunenge maudzwa itii, ‘Tiri varanda vasingakodzeri. Tangoita zvatinofanira kuita.’ ” Ari parwendo rwokuenda kuJerusaremu akapfuura napakati peSamaria neGarirea. Paakapinda mune mumwe musha, akasangana navanhu gumi vaiva namaperembudzi vakamira nechekure vakadaidzira vachiti, “Jesu, Tenzi tinzwireiwo tsitsi.” Paakavaona akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Pavaienda vakabva vaporeswa. Zvino mumwechete wavo paakaona kuti arapwa, akadzoka achirumbidza Mwari nezwi riri pamusoro. Akazviwisira pasi nouso patsoka dzaJesu achimutenda. Zvino murume uyu aiva muSamaria. Jesu akati, “Ko vanatswa havasi gumi here? Ko vamwe vapfumbamwe varipi? Hapana kuwanikwa adzoka kuzorumbidza Mwari kusiya mutorwa uyu oga.” Akati kwaari, “Chisimuka uenda zvako. Chitendero chako chakuponesa.” Jesu paakabvunzwa navaFarisei kuti umambo hwaMwari huchasvika rini, akavapindura achiti, “Umambo hwaMwari hausi kuuya nezviratidzo zvinoonekwa. Hakuna munhu achati, ‘Hohuno huri pano kana kuti huri apo, nokuti izvozvi umambo hwaMwari huri pakati penyu.’ ” Akazoti kuna vadzidzi vake, “Mazuva ari kuuya pamuchasuwira kuona rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu asi hamumboriona. Vamwe vachati kwamuri, ‘Ari kokoko kana kuti ari pano apa.’ Musaendeko kana kuvatevera. Nokuti sokuvaima kunoita mheni ichivhenekera denga kubvira kunorumwe rutivi kusvika kunorumwe, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu pamazuva ake. Asi anofanira kutanga atambudzika zvakanyanya agorambwa nechizvarwa ichi. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pamazuva oMwanakomana womunhu. Vanhu vaidya nokumwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Mafashamo akauya akavaparadza vose. Naizvozvowo zvakaitika pamazuva aRoti; vanhu vaidya vachinwa vachitenga nokutengesa vachidyara nokuvaka. Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesarufa zvakanaya zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. Ndizvozvowo zvazvichaita pazuva richaoneswa Mwanakomana womunhu. Pazuva iroro anenge ari pamusoro pemba aine zvinhu zvake mumba, ngaarege kuburukira kuzozvitora. Ndizvo zvimwechetezvo naari kumunda, ngaarege kudzokera. Yeukai mudzimai waRoti. Uyo anotsvaka kuzviponesa upenyu acharasikirwa nahwo. Asi uyo anorasikirwa noupenyu hwake anohuchengetedza. Ndinokuudzai kuti usiku ihoho vaviri vanenge vakarara pamubhedha mumwechete, mumwe achatorwa mumwe achisara. Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achisiiwa.” [ Vamwe vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa.] Vakati kwavari, “Kuri kupiko ikoko nhai Tenzi?” Iye akati, “Pane chitunha magora ndipo panoungana.” Jesu akavataurira mumwe muenzaniso wokuti vanofanira kunamata nguva dzose vasingarasi mwoyo. Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari kana kuzeza munhu. Maivawo neimwe chirikadzi muguta iroro yaingoramba ichiuya kwaari ichiti, ‘Ndienzanisireiwo nyaya yangu nomuvengi wangu.’ Kwechinguva chakati kuti akamboramba. Mushure mezvo akazozviti, ‘Kunyange zvazvo ndisingatyi Mwari kana kuzeza munhu asi pamusana pokuti chirikadzi iyi inondinetsa, regai ndiienzanisire nyaya yayo; ingandisvote nokuramba kwayo ichingouya.’ ” Tenzi akati, “Inzwai zviri kutaurwa nomutongi asina kururama. Mwari haangadzivirire here vasarudzwi vake vanochema kwaari siku nesikati. Angavanonokere kwenguva ndefu here? Ndinokutaurirai kuti achavadzivirira nokuchimbidza. Kunyange zvakadaro zvazvo, pachauya Mwanakomana womunhu, achasvikowana panyika pane chitendero here?” Jesu akavataurirawo muenzaniso uyu kune vamwe vaizvikudza vachizviona savakarurama kupinda vamwe vachishora vamwe. “Vamwe varume vaviri vakaenda muTemberi kundonamata. Mumwe wavo aiva muFarisei, mumwe ari muteresi. MuFarisei akamira akanamata nechomumwoyo achiti, ‘Mwari ndinokutendai nokuti handina kuita savamwe vanhu, vapambi, vasina ruenzaniso, nemhombwe kana somuteresi uyu. Ndinotsanya kaviri pasvondo. Ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ Asi muteresi akamira nechokure asingatomboda kusimudza maziso ake kudenga. Akazvibata pachifuva achizvininipisa achiti, ‘Mwari, ndinzwirewo tsitsi ini mutadzi.’ Ndinokutaurirai kuti murume uyu akaenda kumba kwake aruramiswa panze pomumwe uya. Nokuti munhu wose anozvikudza achadukupiswa asi uyo anozvidukupisa anokudzwa.” Vanhu vakanga vava kuunza kunyange vacheche kwaari kuti avabate. Vadzidzi vake pavakazviona, vakavarambidza. Asi Jesu akadaidzira achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwedenga ndehwevakaita savava. Chokwadi chaizvo ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haambohupinda.” Mumwe mutongi akabvunza Jesu achiti, “Mudzidzisi wakanaka. Ndingaitei kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Sei uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka asi Mwari woga. Inga unoziva wani mitemo, inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usaite uchapupu hwenhema remekedza baba naamai vako.” Iye akati, “Yose iyi ndakaichengeta kubvira paudiki hwangu.” Jesu paakazvinzwa akati kwaari, “Pane chinhu chimwechete chausina. Tengesa zvose zvaunazvo uzvigovere kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga; ugouya ozonditevera.” Paakanzwa izvi akasuruvara nokuti akanga akapfuma zvikuru. Jesu akamutarisa akati, “Zvakaoma sei kuti vano upfumi vapinde muumambo hwaMwari. Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Avo vakazvinzwa vakati, “Kana zvakadaro ndiani angaponeswe.” Asi iye akati, “Zvisingagoneki navanhu zvinogoneka naMwari.” Pita akazoti, “Tarisai muone, isu takasiya misha yedu tikakuteverai.” Iye akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna munhu akasiya musha kana mukadzi kana vakoma kana vaunun'una kana vabereki kana vana pamusana poumambo hwaMwari asingazowani zvakapetwa kakawanda kupinda izvozvo panguva ino uye upenyu husingaperi munguva ichauya.’ ” Jesu akatora vane gumi navaviri akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Zvose zvakanyorwa navaporofita nezveMwanakomana womunhu zvichazadziswa. Nokuti achandoiswa mumaoko evechirudzi, achasveeredzwa achiitirwa zvinonyadzisa nokusvipirwa mate. Vachamurova zvakanyanya vozomuuraya asi achizomuka pazuva retatu.” Pazvinhu izvi hapana chavakanzwisisa. Zvaakataura izvi zvakanga zvakavanzwa kwavari. Havana kubata zvaaireva. Paakaswedera kuJeriko, rimwe bofu rakanga rigere parutivi rwenzira richipemha parakanzwa mhomho yavanhu ichipfuura, rakabvunza kuti, “Kwauyei?” Vakati kwaari, “Jesu weNazareti ari kupfuura nepo.” Iye akashevedzera achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vakanga vari mberi vakamutsiura vachimuti anyarare asi iye akatoshevedzera zvakatonyanya achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati ngaauiswe kwaari. Paakasvika pedyo, akamubvunza achiti, “Chii chaunoda kuti ndikuitire.” Akati, “Tenzi itai kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona zvako. Chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona akatevera Jesu achirumbidza Mwari. Vanhu vose pavakazviona vakarumbidza Mwari. Akapinda muJeriko achipfuura nomo. Maiva nomumwe murume ainzi Zakeo. Aiva mukuru mukuru wavateresi uye ari mupfumi. Aida kuona zvakaita Jesu asi haana kukwanisa nokuda kwegurumwandira ravanhu nokuti iye akanga akapfupika. Ipapo akafanomhanyira mberi ndokukwira mumuonde kuti amuone nokuti akanga achizopfuura nepo. Jesu paakasvika panzvimbo iyoyo, akatarisa mudenga akamuti, “Zakeo kurumidza kuburuka nokuti ndinofanira kundogara kumba kwako nhasi.” Saizvozvo akakurumidza kuburuka akamugamuchira norufaro. Vanhu pavakazviona, vose vakanyunyuta vachiti aenda kundogara mumba momutadzi. Zakeo akamirawo achiti kuna Tenzi, “Chionai Tenzi ini ndichapa kuvarombo hafu yezvinhu zvangu. Kana ndakabiridzira munhu chinhu ndichamudzorera kakapetwa kana.” Jesu akati kwaari, “Nhasi uno ruponeso rwauya kumba ino nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahamu nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.” Pavakanga vakateerera zvinhu izvi, akaenderera mberi achivapa muenzaniso nokuti akanga ava pedyo neJerusaremu uye nokuti vakanga vachifunga kuti umambo hwaMwari hwakanga hwava kuda kutoonekwa. Naizvozvo akati, “Mumwe murume wokumbahuru akaenda kune imwe nyika iri kure kundopiwa umambo achizodzoka. Akashevedza varanda vake gumi akavapa gumi repondo, achiti kwavari, ‘Itai mhindu nayo kusvikira ndauya.’ Asi vanhu vake vaimuvenga. Vakatumira nhume dzokumutevera dzichiti, ‘Hatidi kuti munhu uyu atitonge.’ Paakadzoka apiwa umambo huya akati varanda vake vaakanga apa mari iya vadaidzwe kwaari kuti azive kuti mumwe nomumwe akanga awanei nemhindu. Wokutanga akauya kwaari achiti, ‘Changamire pondo yenyu yakabereka dzimwe pondo gumi pamusoro.’ Iye akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka! Pamusana pokuti wakatendeka muzvinhu zvidikidiki kudai uchatonga maguta gumi.’ Wechipiri akauyawo achiti, ‘Tenzi pondo yenyu yakabereka pondo shanu.’ Iye akati kwaari, ‘Iwewo uchatonga maguta mashanu.’ Mumwe akauya achiti, ‘Tenzi pondo yenyu iyi ini ndakaipfundira muhengechepfu, nokuti ndaikutyai nokuti muri munhu akaomarara. Munonhonga chamusina kuisa pasi, muchikohwa chamusina kudyara.’ Akati kwaari, ‘Ndinokupa mhosva nezvabva mumuromo mako, iwe muranda akaipa. Heya waitoziva zvako kuti ndiri munhu akaomarara anonhonga chaasina kuisa pasi nokukohwa paasina kudyara, ko zvino wakaregererei kuisa mari yangu mubhangi. Pandainge ndauya ndaizoitora yabereka.’ Akati kuna vakanga vakamira pedyo, ‘Mutorerei pondo iyoyo muipe kune ane gumi repondo.’ Vanhu vakati kwaari, ‘Tenzi, inga ane gumi repondo wani.’ Ndinokutaurirai kuti munhu wose anazvo achawedzerwa zvimwe asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achachitorerwa. “Asi zvemhandu dzangu dziya dzaisada kuti ndidzitonge dziunzei pano mudziuraye ndakatarisa.” Paakapedza kutaura izvi, akatungamira vachikwira kuJerusaremu. Paakanga ava kusvika kuBhetifage nokuBhetania kugomo rinonzi Orivheti, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti, “Endai mumusha wakatarisana nesu wamunoti kana mavakupindamo muchaona chigondora chedhongi chakasungirirwa chisati chambotaswa nomunhu. Chisinungurei muuye nacho kuno. Kana munhu akakubvunzai kuti, ‘Muri kuchisunungurirei?’ Munomuti, ‘Tenzi anochida.’ ” Saizvozvo vaya vakatumwa vakaenda vakawana zvakangoita sokuvataurira kwaakanga aita. Pavakanga vavakuchisunungura varidzi vacho vakati kwavari, “Muri kuchisunungurirei?” Ivo vakati, “Tenzi vari kuchida.” Vakauya nacho kuna Jesu. Vakawaridza hanzu dzavo pachigondora chiya. Vakakwidza Jesu pachiri. Paaifamba kudaro vakawaridza hanzu dzavo munzira. Paakanga ava kuda kusvika kumateru eGomo reMiorivhi mhomho yose yavadzidzi vake yakatanga kupembera ichirumbidza Mwari ichidaidzira, ichirumbidza Mwari nokuda kwamabasa makuru avakanga vaona vachiti, “Ngaarumbidzwe Mambo anouya muzita raTenzi. Rugare ngaruve kudenga nembiri ive kumusorosoro.” Vamwe vaFarisei vaiva mumhomho iyoyo vakati kwaari, “Mudzidzisi tsiurai vadzidzi venyu.” Iye akapindura achiti, “Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, matombo chaiwo achadanidzira.” Paakanga ava kuda kusvika, akatarisa guta akarichema, achiti, “Dai wanga uchiziva nhai zvinhu zvinounza rugare asi zvino zvakavanzwa kwauri. Mazuva achakuvinga zvako, mhandu dzako padzichaita mazidhunduru muberere rako kukutenderedza vachikukomberedza kumativi ose. Vachakupwatitsira pasi, iwe navana vako vari mauri. Havachazosiya rimwe dombo riri pamusoro perimwe dombo mauri nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.” Jesu akapinda muTemberi akatangisa kudzinga vaitengesa achiti kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira asi imi makaiita bako ramakororo.’ ” Aidzidzisa mazuva ose muTemberi. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vavanhu vaitsvaka zvokumuparadza asi havana kuwana chavakagona kuita, nokuti vanhu vose vanga vangoti kwati kwati kumashoko ake. Nerimwe zuva Jesu paaidzidzisa vanhu muTemberi achiparidza Shoko Rakanaka, vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru, vakauya vakati kwaari, “Tiudze kuti unoita zvinhu izvi nesimba raani kana kuti ndiani akakupa simba irori?” Akavapindura achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai mubvunzo. Nditaurirei, ruombeko rwaJohani rwaibva kudenga here kana kuvanhu?” Vakambokurukurirana pachavo vachiti, “Kana tikati rwakabva kudenga iye achati ko makaregererei kutenda kwaari. Kana tikati runobva kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe nokuti vanobvuma kuti Johani aiva muporofita.” Ipapo vakapindura vachiti, “Hatizivi kuti rwaibva kupi.” Jesu akati kwavari, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani.” Akatanga kutaurira vanhu muenzaniso uyu achiti, “Mumwe munhu akarima munda wamagirepisi akaupa kuna vamwe vanhu vokuushandisa vachimubhadhara ndokuenda kune imwe nyika kwenguva ndefu. Nguva payakasvika, akatuma muranda kuna vaya vaishandisa munda wake kuti vamupewo mimwe michero womunda wamagirepisi, asi vaishandisa munda vaya vakamurova vakamuendesa asina chaanacho. Akatumira mumwe muranda; naiyewo vakamurova vakamuitira zvinonyadzisa uye vakamuendesa asina chaanacho. Akatumirazve wechitatu. Uyu vakamukuvadza vakamukanda kunze. Muridzi womunda akati, ‘Ndoita sei? Ndichatumira mwanakomana wangu wapamwoyo zvimwe vangamuremekedze.’ Asi vaya vaishandisa munda pavakamuona vakataurirana pachavo vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye kuti nhaka ive yedu.’ Vakamukanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamuuraya. Muridzi womunda achaitei kwavari? Achauya agoparadza vaya vokushandisa munda vaya achizopa munda wamagirepisi uya kuna vamwe.” Pavakanzwa izvi vakati, “Hazvidi kudaro.” Jesu akavatarisa akati, “Ko izvi zvakanyorwa zvinorevei zvinoti, “ ‘Dombo rakarambwa navavaki iroro ndiro rakava dombo rakakoshesesa rapakona.’ “Munhu wose anowira padombo iroro anobva adanzurwa danzurwa. Asi rikawira munhu rinomupwanya.” Nyanzvi dzomutemo navapristi vakuru vakaedza kumubata panguva iyoyo asi vakatya vanhu nokuti vakanga vazviona kuti akanga ataura muenzaniso uyu akananga ivo. Saizvozvo vainyatsomutarisisa. Vakatumira vasori vaiita sevakatendeka vachiitira kuti vamubate pakutaura kwake kuti vamuturire kuvakuru vakuru nomumaoko agavhuna. Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvazviri uye hamusaruri asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri pachokwadi. Zviri pamutemo here kubvisa mutero kuna Siza kana kuti kwete?” Asi iye akaona unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ndiratidzei mari chena imwechete yemadhenari. Ine mufananidzo norunyoro rwaani?” Vakati, “NdezvaSiza.” Iye akati kwavari, “Nezvo ipai kuna Siza zvaSiza mupewo kuna Mwari zvaMwari.” Havana kugona kumubata pane vanhu mune zvaakataura. Vakangoshamiswa nemhinduro yake vakanyarara. Kwakauya kwaari vaSadhusei, vaya vanoti hapana zvokumuka kwavakafa. Vakabvunza Jesu mubvunzo vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa iye ane mudzimai asi pasina vana, munun'una wake anofanira kutora mudzimai agoberekera mukoma wake vana.’ Zvino, paiva navanhu vaiva mukomanomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora mudzimai akafa asina vana. Wechipiri newechitatu vakamutorawo, ndizvo zvimwechete navose vari vanomwe, havana kusiya vana. Mushure macho, mudzimai uya akazofawo. Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mudzimai waani nokuti vose vari vanomwe akava mudzimai wavo?” Jesu akati kwavari, “Vanhu varizvino vanoroora uye vanoroorwa. Asi avo vanokodzera kusvika mune ramangwana uye pakumuka kwavakafa, havazoroori kana kuroorwa nokuti havachafazve pamusana pokuti vanenge vaita savatumwa uye vanenge vava vana vaMwari uye vanenge vava vanhu vokumuka kuvafi. Asi zvokuti vakafa vanomutswa, kunyange Mosesi akazviratidza mundima iya yegwenzi raipfuta moto maanoti Tenzi ndiMwari waAbhurahamu naMwari waIsaki naMwari waJakobho. Zvino haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu nokuti kwaari vose vapenyu.” Dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakapindura dzichiti, “Mudzidzisi mataura zvakanaka.” Havana kuzoita chivindi chokumubvunza mumwe mubvunzo. Jesu akati kwavari, “Nhai imi, ko vanhu vanoti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi seiko?’ Inga iye Dhavhidhi pachake mubhuku renziyo anoti, “ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu, Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita mhandu dzako chitambarariko chetsoka dzako.’ ” Dhavhidhi anomuti, “Tenzi saizvozvi, ko anogova mwana wake sei?” Jesu akataurira vadzidzi vake, vanhu vose vachinzwa. Akati, “Ngwarirai nyanzvi dzomutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu, vanoda kukwaziswa pamisika nokuwana zvigaro zvakanaka mumasinagogu nenzvimbo dzapamusoro dzavakuru vakuru pamabiko. Vanodya twemba dzechirikadzi; uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesa.” Akasimudza musoro akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo munzvimbo yaichengeterwa upfumi. Akaonawo chirikadzi yaiva murombo ichiisa tumari tuviri twekopa. Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chirikadzi iyi murombo yaisa zvinopfuura vose nokuti ivo vaisa zvabva mune zvakawanda zvavainazvo. Asi iyo nourombo hwayo, yaisa zvose zvainorarama nazvo.” Vamwe pavaitaura nezveTemberi kuti yakashongedzwa zvakadii namatombo akakosha nezvipo, Jesu akati, “Zvamuri kuona izvi, mazuva ari kuuya hapazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.” Vakamubvunza kuti, “Nhai mudzidzisi izvi zvichaitika rinhi uye kuti chiratidzo chokuti zvava kuda kuitika chichava chipi?” Iye akati, “Chenjerai kuti murege kurasikiswa nokuti kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye.’ Uye vachati, ‘Nguva yasvika.’ Imi musavatevere. Kana monzwa zvehondo namanyongori, musatye nokuti izvi zvinofanira kutanga zvaitika asi kuguma hakubva kwangova pakare pakarepo.” Akazoti kwavari, “Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo. Kuchava nokundengendeka kwapasi kukuru, munzvimbo dzakasiya — siyana muchava nedzinzara nezvirwere, kuchava nezvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichibva kudenga. Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu. Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo. Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei. Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi. Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu. Muchavengwa navose pamusana pezita rangu. Asi hapana kana ruvhudzi rwomusoro wenyu ruchatsakatika. Kutsungirira kwenyu kuchakuwanirai upenyu hwenyu. “Kana moona Jerusaremu yakomberedzwa nehondo. Ibvai maziva kuti kuparadzwa kwayo kwava pedyo. Vanenge vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Vanenge vari muguta ngavabvemo. Vanenge vari kunze kumaruwa ngavarege kupinda mariri nokuti iwaya anenge ari mazuva okutsividza kuzadzisa zvose zvakanyorwa. Hameno zvavo vanenge vakazvitakura navavo vanenge vachiyamwisa pamazuva iwayo nokuti pachava nenhamo huru panyika nokurangwa kwavanhu ava. Vachaparadzwa nehondo yebakatwa vachitapwa mukati memarudzi ose. Jerusaremu ichatsokodzerwa nevechirudzi; kusvikira nguva yevechirudzi yazadziswa. “Kuchava nezviratidzo kuzuva nokumwedzi nokunyenyedzi. Panyika pachava nokutambura kwamarudzi; vachashaiswa mazano nokutinhira kwegungwa namasaisai. Vanhu zvichavapedza simba nokutya nokufunga zvichavawira panyika nokuti masimba omudenga achazungunutswa. Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba nembiri huru. Zvino kana izvozvo zvoitika, tarirai kudenga musimudze musoro nokuti kununurwa kwenyu kunenge kwava pedyo.” Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Tarisai muonde nemiti yose kana yopfumvudza munobva mangozvionera uye munobva maziva kuti zhizha ravakusvika. Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvavakuitika, munobva maziva kuti umambo hwaMwari hwava pedyo. Zviro kwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuura kusvika zvose izvi zvaitika. Denga napasi zvichapera asi mashoko angu haaperi. “Zvingwarirei kuti musaodzwe mwoyo noupenyu husina paho nokuraradza nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu huno, zuva iroro richizoyerekana rakusvikirai seriva nokuti richasvikira munhu wose anogara pamusoro payo nyika yose. Ngwarirai nguva dzose muchinamata kuti muwane simba rokupunyuka zvose izvi zvichaitika uye kuti mukwanise kuzomira pamberi peMwanakomana womunhu.” Mazuva ose, Jesu aidzidzisa muTemberi asi usiku aienda wondorara kugomo rinonzi Orivheti. Mangwanani vanhu vose vaizouya kwaari muTemberi kuti vamunzwe. Zvino zuva guru rechingwa chisina mbiriso rinonzi Pasika rakanga ravakuda kusvika. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo vakanga vachitsvaka kuti vangamuuraye sei nokuti vaitya vanhu. Zvino Satani akapinda muna Judhasi ainzi Isikarioti, aiva mumwe wavane gumi navaviri. Akaenda akandorangana navavakuru namapurisa kuti angamuturire sei kwavari. Vakafara vakatsidza kumupa mari. Iye akabvuma, akatsvaka nguva yakanaka yokumuturira kwavari nayo pasina vanhu vakawanda. Zuva guru reChingwa Chisina mbiriso rakazosvika rayiitwa hwayana yePasika chibayiro. Ipapo Jesu akatuma Pita naJohani achivati, “Endai mundotigadzirira Pasika kuti tigoidya.” Vakati kwaari, “Munoda kuti tindoigadzirira kupi.” Iye akati kwavari, “Pamunongoti pindei muguta muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei muimba yaanondopinda mugotaurira muridzi wemba iyoyo kuti, ‘Mudzidzisi ari kuti kwamuri, ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’ Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa. Imomo ndomomotigadzirira.” Vakaenda vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika. Nguva yacho payakasvika, akagara pakudya pamwechete navapositori. Akati kwavari, “Ndaidisisa kwazvo kudya chirariro ichi nemi ndisati ndatambudzika nokuti, ndinokuudzai kuti handichazochidya kusvikira chazadziswa muumambo hwaMwari.” Akatora mukombe akatenda ndokuti, “Torai mukombe uyu mugoverane pakati penyu nokuti ndinokuudzai kuti kubvira zvino handizonwazve muchero womugirepisi kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.” Akatorawo chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Uyu muviri wangu unopirirwemi. Itai izvi mugochindiyeuka nazvo.” Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro achiti, “Mukombe uyu unoteurirwemi, chitenderano chitsva muropa rangu. “Asi chinzwai, achandipandukira ari kuseva neni mundiro. Mwanakomana womunhu anoenda zvake nenzira yaakatemerwa. Asi zvichamuwana munhu uyo anomutengesa.” Vakatanga kubvunzana kuti, “Ndiani wavo akanga achazoita izvozvo.” Pakamuka nharo pakati pavadzidzi dzokuti ndiani anofanira kutorwa somukuru wavo vose. Iye akati kwavari, “Madzimambo evechirudzi vanoita zvechisimba kuvanhu vavo. Uye vakuru vakuru vavo vanozviti vanasamwoyochena. Asi kwamuri hazvifaniri kudaro, mukuru pakati penyu ngaave iye somudiki. Uye mutungamiri aite somushandiri. Nokuti ndiani mukuru, agere pakudya here kana kuti muperekeri? Handiti ndouyo agere pakudya? Asika ndiri pakati penyu somuperekeri. “Imi ndimi makaramba muineni mumatambudziko angu, sokundipa kwakaita Baba umambo ini ndinohupawo kwomuri kuti muzodya nokumwa patafura neni muumambo hwangu makagara pazvigaro zvokutonga muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri. “Simoni, Simoni, tarisa uone Satani akumbira kuti akuzungurei sekoroni. Asi ndakunamatira kuti chitendero chako chirege kukundika. Kana uchinge wazotendeukazve simbisa hama dzako.” Pita akati, “Tenzi ndakagadzirira kuenda nemi kuJeri kana kurufu chaiko.” Iye akati kwaari, “Ndinokuudza Pita kuti, iye nhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Jesu akati kwavari, “Pandakakutumai musina chikwama kana tsapo kana shangu, pane chamakashaiwa here?” Vakati, “Hapana.” Iye akati kwavari, “Asi parizvino, uyo ane chikwama ngaachitore; ndizvo zvimwechetezvo neane tsapo. Uyowo asina bakatwa ngaatengese bhachi rake atenge bakatwa. Nokuti ndinokutaurirai kuti Magwaro Matsvene aya anofanira kuzadziswa mandiri anoti, ‘Akaverengerwa mukati mavatadzi nokuti zvakanyorwa nezvangu zvinofanira kuzadziswa.’ ” Ivo vakati, “Tarisai Tenzi, haano mapakatwa maviri.” Iye akavati, “Zvakwana.” Akabuda akaenda, samaitiro ake kugomo reMiorivhi. Vadzidzi vake vakamutevera. Paakasvika panzvimbo iyoyo akati kwavari, “Namatai kuti murege kupinda mukuedzwa.” Iye akasudurukana navo chinhambwe chingasvike dombo kana rapotserwa. Akapfugama akanamata achiti, “Baba kana muchida henyu bvisai mukombe wenhamo uyu kwandiri asi kusave kuda kwangu asi kuda kwenyu ngakuitwe.” [ Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari achimusimbaradza. Jesu achirwadziwa zvakanyanya kudaro, akatonyanya kunamata. Dikita rake rakaita samadonhwe makuru eropa achidonhera pasi.] Paakasimuka paainamata, akauya kuvadzidzi akavawana vakakotsira nemhaka yokusuwa. Akati kwavari, “Sei muchikotsira, mukai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa.” Paakanga achiri kutaura kudaro, kwakauya chikwata chavanhu nomumwe murume ainzi Judhasi mumwe wavane gumi navaviri achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu akamutsvoda. Asi Jesu akati kwaari, “Judhasi unotengesa Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?” Vakanga vakamupoteredza pavakaona zvakanga zvavakuda kuitika vakati, “Tenzi totema namapakatwa here?” Mumwe wavo akabva atema muranda womupristi mukuru achimudimbura nzeve yake yokurudyi. Jesu akati, “Imi siyanayi nazvo izvi” akabata nzeve yake ndokumurapa. Jesu akataura kuvapristi vakuru namapurisa apaTemberi navakuru vakuru vakanga vauya kuzomusunga achiti, “Mauya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuvinga gororo. Asi pandaiva nemi zuva nezuva muTemberi imi hamuna kundisunga. Ino inguva yenyu nenguva yamasimba erima.” Vakabata Jesu vakaenda naye. Vakaenda naye kuimba yomupristi mukuru. Pita akatevera ari chinhambwe. Pavakakuhwidza moto pakati penhandare vakagara pasi pamwechete, Pita akagarawo pakati pavo. Mumwe musikana webasa paakamuona akagara pane chiedza akamunan'anidza akati, “Murume uyu anga ainayewo uyu.” Asi Pita akaramba achiti, “Mukadzi iwe, ini handimuzivi.” Mushure mechinguvana mumwewo munhu akamuona akati kwaari, “Newewo uri mumwe wavo iwe.” Asi Pita akati, “Murume iwe handisini.” Mumashure mechinhambo chinoita awa imwechete, mumwezve akasimbisisa achiti, “Chokwadi chokwadi munhu uyu anga ainaye nokuti muGarirea.” Pita akati, “Murume iwe, handizivi zvauri kutaura.” Pakare pakarepo achiri kutaura kudaro jongwe ndokubva rakukuridza. Tenzi akacheuka akatarisa Pita. Pita akayeuka shoko raTenzi zvaakanga ati kwaari, “Jongwe risati rakukuridza nhasi uno uchandiramba rutatu.” Akabuda akahwihwidza kuchema zvinosiririsa. Zvino varume vakanga vakachengetedza Jesu vakamunyomba vachimurova. Vakamusunga kumeso vachimubvunza vachiti, “Porofitaka. Ndiani akurova.” Vakataura mamwe mazwi mazhinji vachimushonha. Kwaedza, gungano ravakuru — vakuru vavanhu rakaungana, vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo vakaenda naye kudare ravo vakati, “Kana uriwe Kristu tiudze.” Asi iye akati kwavari, “Kana ndikakuudzai zvangu hamutendi. Uye kana ndikakubvunzai hamundipinduri asi kubvira zvino Mwanakomana womunhu achagara ari kurudyi rwaMwari Samasimbaose.” Vose vakati, “Saka uri Mwana waMwari nhai?” Iye akati kwavari, “Inga imi matozvireva wani. Kuti ndini iye” Ivo vakati, “Tichadirei humwe humbowo. Tazvinzwira iyesu achitaura nomuromo wake.” Chita chose chiya chavanhu chakasimuka chikaenda naye kuna Pirato. Vakatanga kumupa mhosva vachiti, “Takawana munhu uyu achipandutsa rudzi rwedu achitirambidza kubvisa mutero kuna Siza achizviti iye pachake ndiKristu mambo.” Pirato akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Iye akamupindura achiti, “Inga matozvireva kare wani.” Pirato akati kuvapristi vakuru nemhomho yavanhu, “Handisi kuwana mhosva ine mhunhu uyu.” Vakatobva vasimbisisa kuti, “Anomutsa nyonganyonga muvanhu, achidzidzisa muJudhea yose kubvira kuGarirea kusvikira kuno.” Pirato paakanzwa izvi akabvunza kuti munhu uyu akanga ari wokuGarirea here. Paakaziva kuti ndowekudunhu raHerodhi akamutumira kuna Herodhi akanga ari muJerusaremu panguva iyoyo. Herodhi paakaona Jesu akafara kwazvo nokuti kwenguva ndefu aidisisa kumuona nokuti akanga anzwa nezvake uye akanga achitarisira kuona chimwe chiratidzo chaiitwa naye. Saizvozvo akamubvunza kwenguva ndefu asi haana kupindura. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo vakamirawo vachimupa mhosva zvakaomarara. Herodhi namasoja ake vakamudadira vachimuseka. Vakamupfekedza hanzu yakanakisisa akamudzorera kuna Pirato. Herodhi naPirato vakava shamwari neshamwari pazuva iroro nokuti vaimbenge vachivengana. Pirato akazodaidza vapristi vakuru navatongi navanhu, akati kwavari, “Maunza munhu uyu kwandiri somunhu anga achipandutsa vanhu asi pandamuongorora pamberi penyu, handina kuwana munhu uyu aine mhosva dzamurikumupomera kunyangewo Herodhi nokuti amudzorera kwatiri. Tarisai muone kuti hapana chaakaita chinokodzera rufu. Naizvozvo ndichamurova shure kwaizvozvo ndigomuregera achienda zvake.” [ Nokuti Pirato aifanira kuvasunungurira munhu mumwechete pamazuva makuru.] Asi vose vakadaidzira pamwechete vachiti, “Ngaapfuudzwe munhu uyu mutisunungurire Bharabhasi” Bharabhasi murume akanga aiswa mujeri pamusana penyonganyonga yakanga yamuka muguta uye nokuuraya munhu. Pirato akashevedzerazve kwavari achida kusunungura Jesu. Asi ivo vakadaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa! Ngaarovererwe pamuchinjikwa!” Rwechitatu akati kwavari, “Nemhaka yei? Atadzei? Handina kuwana maari mhosva inokodzera kufa. Naizvozvo ndichamurova chaizvo ndigomurega aende zvake.” Asi vakangoramba vachivavarira vachidaidzira kwazvo vachiti, “Anofanira kurovererwa pamuchinjikwa.” Zvavaizhambira ndizvo zvakazoitwa. Saizvozvo Pirato akatonga kuti zvavaida zviitwe. Akasunungura murume uya wavakanga vakumbira akanga aiswa mujeri nokuda kwenyonganyonga nokuuraya munhu; asi akaisa Jesu mumaoko avo kuti vaite zvavanoda naye. Zvavakanga vachimutungamidza, vakabata Simoni wekuKurini aibva kuruwa vakamutakudza muchinjikwa uya mumashure maJesu. Akateverwa negurusvusvu ravanhu namadzimai vachiridza mhere vachimuchema. Jesu akatendeukira kwavari akavati, “Vakunda veJerusaremu musandicheme ini; asi zvichemei imi navana venyu. Tarirai mazuva ari kuuya pavachati vakakomborerwa zvavo vasina mbereko nemimba dzisina kumbobereka namazamu asina kumboyamwisa. Ndipo pavachatangisa kuti kumakomo, ‘Tiwirei’ uye kuzvikomo, ‘Tifugidzei’ nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, ko kutozoti kuno muti wakaoma.” Vamwewo vaviri vaiva vapari vedzimhosva vakaendwawo navo kundouraiwa pamwechete naye. Pavakasvika panzvimbo inonzi yeDehenya ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navapari vedzimhosva vaya vaviri mumwe ari kurudyi mumwe ari kuruboshwe. Jesu akati, “Baba varegererei nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakakanda mijenya kuti vagovane hanzu dzake. Vanhu vakanga vakamira pedyo vachitarisa. Asi vatongi vakamusveeredza vachiti, “Akaponesa vamwe ko ngaazviponesewoka kana ari iye Mesia waMwari musarudzwi wake.” Masoja akamutsvinyirawo, vachiuya vachimupa waini inovava vachiti, “Kana uriwe Mambo wavaJudha zviponese.” Nechapamusoro pake pakanga pane chikwangwani chakanyorwa kuti, “UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA.” Mumwe mupari wedzimosva akanga akarembedzwa akamushonha achiti, “Hausiwe Mesia here? Zviponeseka utiponesewo.” Asi mumwe uya akamutsiura achiti, “Hautyi Mwari here? Inga une chirango chimwechetecho naye. Kwatiri isu zvakakodzera nokuti tiri kuwana zvakakodzerana nezvatakaita. Asi uyu haana zvaakatadza.” Ndokubva ati, “Jesu mundiyeukewo kana masvika muumambo hwenyu.” Jesu akati kwaari, “Zvechokwadi ndinoti kwauri, uchava neni muparadhiso iye nhasi uno.” Ipapo yakanga yenge awa yegumi nechipiri uye nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati. Chiedza chezuva chakadzima; jira rokudzikatirisa romuTemberi rikabvaruka napakati. Jesu akadaidzira nezwi guru akati, “Baba ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Apedza kutaura kudaro akabva afa. Mutungamiriri wezana ramasoja paakaona zvakanga zvaitika akarumbidza Mwari akati, “Zvechokwadi munhu uyu anga akarurama.” Gurumwandira rose ravanhu vakanga vaungana kuzoona zvaiitika, pavakaona zvakanga zvaitika, vakadzokera vangogumbata maoko nazvo. Vose vaizivana naye namadzimai ainge amutevera achibva kuGarirea vakamira vari chinhambwe vakaona zvinhu izvi. Kwaiva nomumwe murume ainzi Josefi aibva kuguta ravaJudha reArimatia aiva nhengo yedare guru uye ari munhu akanaka akarurama. Iye haana kunge awirirana navamwe pazvinangwa zvavo napane zvavakaita. Iye aitsvaga umambo hwaMwari. Murume uyu akaenda kuna Pirato akakumbira chitunha chaJesu. Akachidzikisa akachiputira mufuko rejira rerineni. Akamuradzika muguva rakanga raitwa zvokuchezerwa mudombo makanga musati mamboradzikwa munhu. Zvaraiva zuva rokugadzirira Pasika uye Sabata rakanga ravakutanga vakadzi vakanga vauya naye vachibva kuGarirea vakatevera vakaona guva racho uye kuti chitunha chakanga charadzikwa sei. Vakadzokera vakandogadzirira tunonhuwirira namafuta. Pazuva reSabata vakazorora sezvaidiwa nomutemo. Pazuva rokutanga revhiki, mambakwedza chaiwo, vakaenda kuguva vakatakura tunonhuwirira twuya twavakanga vagadzirira. Vakawana dombo riya rakungurutswa kubva paguva. Asi pavakapinda havana kuwana chitunha. Vachiri mukukangaidzwa naizvozvi, havo varume vaviri vakaerekana vamira pavaiva vaine hanzu dzaipenya zvikuru. Zvavakanga vavakutya zvikuru vakamira vakatsikitsira uso pasi. Varume vaya vakati kwavari, “Munotsvakireiko vapenyu mukati mavakafa. Yeukai zvaakakuudzai achiri kuGarirea zvokuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi agorovererwa pamuchinjikwa asi agozomuka nezuva retatu.’ ” Vakayeuka mazwi ake. Pavakadzoka kumakuva vakataurira zvose izvi kuna vane gumi nomumwe nokuna vamwe vose. Vakataurira vapositori zvose izvi, ndiMaria Magadharena naJoana naMaria amai vaJemusi navamwe vadzimai vavaiva navo. Mashoko aya, kwavari, akaita sezvinhu zvisina maturo saka havana kuatenda. [ Asi Pita akasimuka akamhanyira kuguva. Akakotama akadongorera mukati. Akaona machira erineni ari pawo oga. Akaenda kumba achishama nezvakanga zvaitika.] Zuva rakarero vamwe vavo vaviri vaienda kunomumwe musha wainzi Emausi waiva makiromita gumi nerimwechete kubva kuJerusaremu, vachitaurirana nezvezvinhu izvi zvose zvakanga zvaitika. Pavakanga vachitaura vachikurukurirana Jesu pachake akaenda pedyo akafamba navo. Asi vakaita chidzimira vakatadza kumuziva. Jesu akati kwavari, “Ko chii chamuri kutaurirana muchifamba kudai?” Vakamira kuti mbikiti vakati surududu. Mumwe wavo ainzi Kiropasi akamupindura achiti, “Ndiwe woga here muenzi wemuJerusaremu, asingazivi zvinhu izvi zvakaitikamo mazuva ano aya?” Iye akati kwavari, “Zvinhuiko izvozvo.” Ivo vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareti, aiva muporofita, ane simba guru muzviito nomushoko pamberi paMwari napamberi pavanhu vose uye kuti vapristi vakuru navatongi vakamukwirira dare kuti atongerwe rufu vakamuroverera pamuchinjikwa. Asi taivimba kuti ndiye aizonunura Isiraeri. Chimwewo ndechokuti zvino atova mazuva matatu zvaitika. Chimwezve ndechokuti mamwe madzimai echikwata chedu vatikangaidza. Vaenda kuguva mangwananingwanani vakashaya chitunha chake. Vadzoka vavakuti vaona chiratidzo chavatumwa vari kuti mupenyu. Vamwe vedu vatangatinavo vaendawo kuguva, vakaona zvinhu zvakaita sokutaura kwanga kwaitwa namadzimai, asi iye havana kumuona.” Jesu ndokuti kwavari, “Oo, inga muri mazirema chaiwo avanhu! Munechinono chaicho kutenda zvose zvakataurwa navaporofita. Zvakanga zvisingafaniri here kuti iye Kristu atambudzike saizvozvi achizopinda mumbiri yake?” Ndipo paakatangisa nokuna Mosesi navaporofita vose achivatsananungurira muMagwaro Matsvene ose zvinhu zvakanangana naiye pachake. Pavakanga vava kuda kusvika pamusha wavaienda, akaita seavakupfuurira. Asi vakamugombedzera vachiti, “Garai nesu nokuti kwava kuda kuvira zuva rapera.” Saka akapinda kundogara navo. Paakanga ari pakudya navo, akatora chingwa akachikomborera ndokuchimedura akachipa kwavari. Maziso avo akabva azaruka vakabva vamuziva, asi iye akabva anyangarika kwavari. Vakataurirana vachiti, “Mwoyo yedu haina kunge yava kutopisirira here mukati medu paanga achitaura kwatiri munzira; paya paanga achitizarurira Magwaro Matsvene?” Vakabva vasimuka nguva yakareyo vakadzokera kuJerusaremu. Vakasvikowana vane gumi nomumwechete vaya vakaungana navamwe vavaiva navo, vakati, “Tenzi wamuka zvechokwadi uye azviratidza kuna Simioni.” Ivowo vakavataurira zvakanga zvaitika panzira uye kuti vakamuziva sei pakumedura chingwa. Pavakanga vachiri kutaura izvi. Iye Jesu pachake akamira pakati pavo (akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi”). Vakavhunduka vakatya vachifunga kuti vari kuona dzangaradzimu. Iye akati kwavari, “Ko muri kunetseka mumwoyo menyu neiko? Ko mibvunzo iri kumukireiko mumusoro menyu? Tarisai maoko angu netsoka dzangu muone kuti ndini chaiye. Ndibatei muone nokuti dzimudzangara harina nyama namapfupa sezvamuri kuona ndiinazvo.” Ataura izvi akavaratidza maoko ake netsoka dzake. Vachiri kupokana kudaro pamusana pokufara uye vachikatyamadzwa akati kwavari, “Mune chokudya here pano?” Vakamupa hove yakagochwa akaitora akaidya pamberi pavo. Akazovataurira achiti, “Aya ndiwo mazwi angu andakakutaurirai ndichinemi ndichiti, ‘Zvose zvakanyorwa nezvangu mumutemo waMosesi nomuvaporofita nomunziyo zvaifanira kuzadzikiswa.’ ” Akavazarura pfungwa kuti vanzwisise Magwaro Matsvene. Akati kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Kristu aifanira kutambudzika uye kuti amuke kuvafi nezuva retatu uyewo kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvitadzo kuparidzwe muzita rake kumarudzi ose, zvichitangira kuJerusaremu. Imi ndimi zvapupu zvezvinhu izvi. Chinzwai, ndichatumira pamuri chipikirwa chababa vangu. Asi imi garai muguta rino, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.’ ” Akavatungamirira kusvika kuBhetania. Akasimudza maoko ake akavakomborera. Paakanga achivakomborera akabva pavari akakwidzwa kudenga. Vakadzokera kuJerusaremu norufaro rukuru; vairamba vari muTemberi vachirumbidza Mwari. Pakutanga Izwi akanga atovapo; Izwi iyeyo akanga ari pamwechete naMwari; Izwi akangawo ari Mwari. Kubvira pakutanga, iye akanga ari pamwechete naMwari. Zvinhu zvose zvakaitwa nemaari; hapana chisikwa chisina kusikwa naiye. Maari makanga muino upenyu; upenyu ihwohwo hwakanga huri chiedza chavanhu chiedza chinovhenekera murima uye rima harina kuchikurira. Kwakazova nomunhu akatumwa naMwari, zita rake ainzi Johani. Uyu akauya kuzopa uchapupu achipupurira chiedza, kuti vanhu vose vatende maari. Iye akanga asiri chiedza, asi akauya kuzopupurira chiedza achiti chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu wose, chiri kuuya pasi pano. 10 Iye akava pasi pano uye pasi pakasikwa nemaari asi pasi hapana kumuziva. Akauya kunyika yokwake vokwake havana kumugamuchira. Asi vose vakamugamuchira vakatenda muzita rake akavapa simba rokuva vana vaMwari vasina kuberekwa nokuda kwoukama hweropa kana kuti nezvinodiwa nenyama. Kana nechido chomurume asi nokuda kwaMwari. Izwi akava munhu anenyama akagara pakati pedu azere nyasha nechokwadi. Takaona mbiri yake inokodzerana nomwana oga waBaba. 15 Johani akamupupurira akadaidzira achiti, “Uyu ndiye wandaiti, ‘Uyo achauya mushure mangu, mukuru kwandiri nokuti akavapo ndisati ndavapo.’ ” Kubva mumafashafasha enyasha dzake, takapiwa tose nyasha pamusoro pedzimwe nyasha. Mutemo wakapiwa nokuna Mosesi nyasha nechokwadi zvikauya nokuna Jesu Kristu. Hakuna akamboona Mwari asi Mwanakomana mumwechete waMwari iye wapamwoyo paBaba ndiye akaita kuti vazivikanwe kuvanhu. Uhu ndihwo uchapupu hwaJohani, vaJudha pavakatuma vapristi navaRevhi kwaari vachibva kuJerusaremu kundomubvunza kuti: “Ndiwe ani?” Akataura pachena; haana kuvanza; akataura pachena achiti, “Ini handisini Kristu.” Vakamubvunza vachiti, “Ko zvino, ndiwe Eriya here?” “Handisini iye. Ndiwe muporofita uya airehwa here?” Iye akati, “Handisini.” Zvino vakati kwaari, “Ko ndiwe ani tinoda mhinduro kwauri yokupa vatituma; unozviti ani iwe?” Akati: “Ndini izwi rouya anodanidzira murenje richiti, ‘Ruramisai nzira yaTenzi sokutaura kwomuporofita Isaya.’ ” Zvino vakanga vatumwa vaya vaibva kuvaFarisei, vakamubvunza kuti, “Ko zvino uri kuombekerei kana usiriwe Kristu kana Eriya kana muporofita uya?” Johani akavapindura kuti, “Ndinoombeka nemvura asi pakati penyu pane mumwe wamusingazivi. Iyeyo anouya mushure mangu, ini handikodzeri kusunungura tambo dzeshangu dzake.” Izvi zvakaitika kuBhetania iri kumhiri kwaJorodhani kwaiombeka Johani. Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi. Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti, ‘Mushure mangu muchauya munhu mukuru kupinda ini nokuti akanga aripo ini ndisati ndavapo.’ Ini handina kunge ndichimuziva; asi ndizvo zvandakavinga ndichiombeka nemvura, kuti aziviswe kuIsraeri.” Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari. Ini pachezvangu ndakanga ndisingamuzivi asi uyo akandituma kuti ndiombeke nemvura akanditi, ‘Uyo waunoona Mweya achiburukira paari, achigara paari iyeyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ Ini ndakazviona uye ndinopupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.” Ramangwana rachozve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisa Jesu achifamba akati, “Tarisai muone Hwayana yaMwari.” Vadzidzi vaviri vaya vakamunzwa achitaura izvi vakabva vatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavati, “Muri kutsvakeiko?” Ivo vakati kwaari, “Rabhi,” (zvinoreva kuti mudzidzisi) “Munogara kupiko?” Iye akati kwavari, “Uyai muzoona.” Vakauya vakaona paaigara vakagara naye zuva iroro, izvozvo yakanga iri awa yechigumi. Andireya munun'una waSimoni Pita ndiye mumwe wavadzidzi vaviri vaya vakanzwa Johani achitaura vakamutevera. Akatanga kuwana Simoni akamuti, “Tawana Mesia zvinoreva kuti Kristu.” Akauya naye kuna Jesu. Jesu akamutarisa akati, “Iwe unonzi Simoni Mwanakomana waJohani zvino uchanzi Kefasi,” (zvinoreva kuti Pita). Ava mangwana Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea ndokuwana Firipi akamuti, “Nditevere.” Zvino Firipi aibva kuBhetisaidha guta ravanaAndireya naPita. Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Taona munhu uya akanyorwa nezvake naMosesi muMutemo noMuvaporofita, anonzi Jesu anobva kuNazareti mwanakomana waJosefi.” Natanieri akamuti, “Chiiwo chakanaka chingabve kuNazareti?” Firipi akati kwaari, “Uyaka uone.” Jesu akaona Natanieri achiuya kwaari akataura nezvake achiti, “Houno muIsiraeri chaiyeiye, asina unyengedzi maari.” Natanieri akati, “Ko mandiziva sei?” Jesu akamupindura achiti, “Firipi asati akudaidza, zviya uri pasi pomukuyu ndatenge ndakuona.” Natanieri akamupindura achiti, “Rabhi imi ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi mambo weIsiraeri.” Jesu akamupindura achiti, “Watenda pamusana pezvandati ndakuona uri pasi pomukuyu uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvi.” Akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri muchaona denga rakazaruka vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka nechapamusoro pomwanakomana womunhu.” Pazuva retatu kwakava nomuchato kuKana yokuGarirea. Amai vaJesu vakanga variko. Jesu akakokwawo kumuchato iwoyo pamwechete navadzidzi vake. Waini payakapera, amai vaJesu vakati kwaari, “Vanhu vapererwa newaini.” Jesu akati kwavari, “Nhai amai, ko isu tinei nazvo, nguva yangu haisati yasvika.” Amai vake vakati kuvashandi, “Itai zvose zvaanenge akutaurirai.” Zvino ipapo pakanga paina mazigate matanhatu amabwe maererano netsika yavaJudha yokuzvichenura. Rimwe nerimwe rawo raiita marita makumi manomwe anamashanu kusvika kuzana ramarita rina marita gumi namashanu. Jesu akati kwavari, “Zadzai makate aya nemvura.” Ivo vakaazadza kuti tuba. Akazovati, “Zvino chicherai imwe muendese kuna samukuru womuchato.” Saizvozvo vakaenda nayo. Samukuru uya paakaravira, mvura iya yakanga yatova waini asi iye akanga asingazivi kwayakanga yabva. Asi Vashandi vaya vakanga vachera mvura ndivo vaizviziva. Samukuru womuchato akadaidza muwani akati kwaari, “Vanhu vose vanotanga vapa vanhu waini yakanaka. Kana vachinge vanyatsonwa zvavo ndokwakuzovapa isina kunaka asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira iye zvino.” Ichi ndicho chiratidzo chaJesu chokutanga chaakaita kuratidza mbiri yake. Achiita ari kuKana yokuGarirea. Mushure maizvozvi akadzika kuKapenaumu naamai vake navakomanavanun'una vake navadzidzi vake vakagarako kwamazuva mashoma. Pasika yavaJudha zvayakanga yavapedyo, Jesu akakwira kuJerusaremu. Akasvikoona vanhu vachitengesa muTemberi, mombe nehwai nehangaiwa navaiva mushishi yokutengeserana mari. Akaita tyava nemikosi akadzingira vose kunze kweTemberi, pamwechete nehwai nemombe. Akawodzvorera pasi mari chena yavaitengeserana mari nokupidigurira pasi mateburu avo. Akataurira vainge vachitengesa hangaiwa kuti, “Bvisai zvinhu izvi muno. Hamufaniri kuita imba yaBaba vangu musika.” Vadzidzi vake vakayeuka kuti zvakanyorwa kunzi, “Kudisisa kwandinoita imba yenyu kuchandipedza.” VaJudha vakabva vati kwaari, “Tipe chiratidzo chemvumo yezvawaita izvi.” Jesu akavapindura achiti, “Pazai Temberi iyi, ini ndigoivakazve namazuva matatu.” VaJudha ndokuti, “Zvakatora makore makumi mana anamatanhatu kuvaka Temberi iyi iwe ndipo paungaimise namazuva matatu here?” Asi Temberi yaaitaura waiva muviri wake. Saizvozvo paakamutswa muvafi vadzidzi vake vakarangarira kuti akambozvitaura vakatenda chinyorwa nezwi rakanga rataurwa naJesu. Paakanga ari muJerusaremu kumazuva makuru ePasika vazhinji vakatenda muzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita. Asi Jesu haana kuvimba navo nokuti aiziva vanhu vose. Akanga asina chaangaudzwe nomumwe munhu nezvomunhu nokuti iye pachake aiziva zviri mumunhu. Kwaiva nomumwe munhu webato ravaFarisei ainzi Nikodhimasi, mumwe wedare ravaJudha. Murume uyu akauya kuna Jesu nousiku akati kwaari, “Rabhi tinoziva kuti muri mudzidzisi wakabva kuna Mwari nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo zvamunoita kunze kwokuti Mwari ainaye.” Jesu akamuti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu asina kuzvarwa patsva haangaoni umambo hwaMwari.’ ” Nikodhimasi akati kwaari, “Ko iye munhu angazvarwe sei iye avamukuru, anogona here kupinda kechipiri munhumbu maamai vake achizozvarwa?” Jesu akapindura achiti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu akasazvarwa nemvura naMweya haangapindi muumambo hwaMwari. Chinenge chazvarwa nenyama inyama chinenge chazvarwa naMweya mweya usashamisike nezvandati unofanira kuzvarwa patsva. Mhepo inovhuvhuta kwainoda, unonzwa kuvhuvhuta kwayo asi hauzivi kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvimwechetezvo nomunhu wose anoberekwa naMweya.’ ” Nikodhimasi akamupindura achiti, “Izvi zvingaitike sei?” Jesu akamupindurawo achiti, “Iwe uri mudzidzisi weIsiraeri kudai haunzwisisi zvinhu izvi sei? Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri tinotaura zvatinoziva uye tinopupura zvatakaona asi hamugamuchiri uchapupu hwedu. Kana ndikakutaurira nezvepasi hamutendi mungatende sei kana ndikataura nezvokudenga. Hapana akambokwira kudenga kusiya iye akaburuka achibva kudenga, mwanakomana womunhu.” Sokusimudzira nyoka mudenga kwakaita Mosesi murenje saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, kuti munhu wose anotenda maari awane upenyu husingaperi. Mwari akada pasi zvikuru zvokuti akapa Mwanakomana wake mumwechete kuti munhu wose anotenda maari arege kufa, asi kuti awane upenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake pasi kuzopa pasi mhosva asi kuti pasi paponeswe naye. Anotenda maari haapihwi mhosva asi asingatendi maari atova nemhosva nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwechete oga waMwari. Mhosva yacho ndeyiyi yokuti chiedza chakauya pasi pano asi vanhu vakada rima panze pokuda chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. Nokuti munhu wose anoita zvakaipa anovenga chiedza uye haauye kuchiedza kuitira kuti mabasa ake arege kuburitswa pachena. Asi anoita zvechokwadi anouya kuchiedza kuti zvionekwe pachena kuti mabasa ake akaitwa muna Mwari. Mushure maizvozvi Jesu navadzidzi vake vakaenda kunyika yeJudhea. Akambogarako navo achiombeka. Johani aiombekawo ari kuAinoni pedyo neSarimu nokuti ikoko kwaiva nemvura zhinji. Vanhu vaiuya vachiombekwa. Izvozvi Johani akanga asati aiswa mujeri. Pakamuka nharo pakati pavadzidzi vaJohani nomumwe muJudha pamusoro pezvokuchenurwa. Vakauya kuna Johani vakati, “Rabhi munhu uya wamaiva naye kumhiri kwaJorodhani wamakapupurira uya hoyo wavakuombeka, vanhu vose vavakuenda kwaari.” Johani akapindura achiti, “Hakuna munhu angawane chinhu kusiya chaanenge atopiwa chichitobva kudenga. “Imi pachenyu mungatondipupurirawo kuti ndakati: handisini iye Kristu asi ndakatumwa kufanouya mberi kwake. “Mwenga achichata ndewemuwani. Shamwari yomuwani inomira ichiteerera achitaura; inofara zvikuru kunzwa izwi romuwani. Saizvozvo rufaro rwanguwo rwazara kuti tuba. Iye anofanira kukwirira ini ndinofanira kuderera. “Iye anobva kumusoro ari pamusoro pavose. Wapanyika ndewapanyika uye anotaura nezvapanyika; uyo anobva kudenga ari pamusoro pavose. Zvaakaona nezvaakanzwa ndizvo zvaanopupura asi uchapupu hwake ihwohwo hauna anohugamuchira. Munhu anogamuchira uchapupu hwake ihwohwo anotsinhira kuti, Mwari ari pachokwadi. Nokuti akatumwa naMwari anotaura mazwi aMwari nokuti Mwari haana kumupa Mweya achiita zvokuera. Baba vanoda Mwanakomana uye vakaisa zvinhu zvose mumaoko ake. Anotenda muna Mwanakomana anoupenyu husingaperi uyo asingateereri Mwanakomana haamboona upenyu asi hasha dzaMwari dzichanangana naye.” Jesu paakaziva kuti vaFarisei vakanga vanzwa kuti Jesu ari kuwana vadzidzi vazhinji uye kuti ari kuombeka vadzidzi vakawanda kupinda Johani kunyange zvazvo Jesu pachake akanga asingaombeki asi vadzidzi vake. Akabva abva kuJudhea akaendazve kuGarirea. Aifanira kutopfuura nomuSamaria. Nezvo akasvika nomuguta reSamaria rinonzi Sukari riri pedyo nomunda wakapa Jakobho kuna Josefi mwana wake. Ipapo paiva netsime raJakobho naizvozvo Jesu zvaakanga aneta nerwendo rwake akagara pedyo netsime iroro. Yakanga iri nguva yokunge zuva rorova panhongonya. Pakauya mumwe mukadzi wechiSamaria? Ipapo kuzoteka mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa.” Izvozvo vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga chokudya. Mukadzi uya wechiSamaria akati kwaari, “Zvauya sei kuti imi muJudha mukumbire mvura yokunwa kuneni mukadzi wechiSamaria.” Aidaro nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria. Jesu akamupindura achiti: “Dai wanga uchiziva kuti Mwari ari kuda kukupei uye kuti ndiani ari kukuti ndipewo mvura yokunwa, ungatodai uriwe wamukumbira iye achikupa mvura mhenyu.” Mukadzi uya akati kwaari, “Changamire inga hamuna chokuchera nacho wani uye tsime rakadzika iyo mvura mhenyu yacho munoiwanepi? Muri mukuru here pana Baba vedu Jakobho akatipa tsimwe iri naivoo pachavo vakanwa mariri navana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akati kwaari, “Munhu anonwa mvura iyi achava nenyotazve. Asi munhu wose anonwa mvura yandinomupa, haambofa akaita nyotazve, mvura yandichamupa ichava chisipiti chemvura maari inoramba ichibvinina kusvikira kuupenyu husingaperi.” Mukadzi akati kwaari, “Changamire ndipeiwo zvangu mvura iyoyo, kuti ndirege kuva nenyota zvakare kana kuzouya kuno kuzoteka mvura.” Jesu akamuti, “Enda undodana murume wako uuye kuno.” Mukadzi akamupindura achiti, “Handina murume ini.” Jesu akati kwaari, “Wataura zvakanaka kuti, ‘Handina murume,’ nokuti wakamboita varume vashanu uye wauinaye zvino haasi murume wako. Apo wataura chokwadi. Mukadzi ndokuti kwaari, ‘Changamire ndaona kuti muri muporofita.’ Madzitateguru edu akanamata pagomo rino iri asi imi munoti: ‘MuJerusaremu ndimo munzvimbo munofanira kunamatirwa vanhu vari.’ ” Jesu akati kwaari, “Mukadzi iwe tenda zvandiri kutaura, nguva iri kuuya yamusingazonamati Baba mugomo rino iri kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi. Asi isu tinonamata chatinoziva nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva iri kuuya uye yatosvika ichanamatwa Baba navanamati vechokwadi vanomunamata muMweya nomuchokwadi nokuti Baba vanotsvaka vakadai kuti vavanamate. Mwari mweya; saizvozvo, vanomunamata vanofanira kumunamata muMweya nomuchokwadi.” Mukadzi uya akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesia ari kuuya iye anonzi Kristu. Kana auya achatiratidza zvinhu zvose.” Jesu akati kwaari, “Iyeni ndiri kutaura kwauri ndini iye.” Ipapo ndipo pakabva pauya vadzidzi vake. Vakashamiswa kuti aitaura nomunhukadzi. Asi hapana akati, “Munodei kwaari?” Kana kuti, “Munotaurirei naye?” Naizvozvo mukadzi uya akasiya chirongo chake akaenda muguta akati kuvanhu, “Uyai muone munhu anditaurira zvose zvandakaita. Angave iye Kristu here?” Vanhu vakabuda muguta vachienda kwaari. Izvozvo vadzidzi vake vakanga vachimunyengetedza vachiti, “Rabhi chimbodyai.” Asi iye akavati, “Ndine chokudya chamusingazivi.” Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti, “Pane amuunzira chokudya here?” Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu kuita zvinodiwa naiye akandituma uye kupedza basa rake. Handiti munoti, ‘Kwasara mwedzi mina kukohwa kwobva kwauya?’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Simudzai musoro muone kuti minda yatsvuka, yoda kukohwiwa. Mukohwi ava kuwana mubayiro wake uchaunganidza muchero wokuupenyu husingaperi zvokuti mudyari nomukohwi vafare pamwechete.’ Pano apa tsumo iya inotaura chokwadi inoti, ‘Mumwe mudyari, mumwe mukohwi.’ Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kushandira; vamwe ndivo vakashanda; imi mukapinda mumubayiro webasa ravamwe.” VaSamaria vazhinji vaibva muguta iroro vakatenda maari pamusana pouchapupu hwomudzimai uya akati “Wanditaurira zvose zvandakaita.” Naizvozvo vaSamaria pavakauya kwaari vakamukumbira kuti ambogara navo. Akagaramo kwamazuva maviri. Vamwe vazhinjiwo vakatenda nokuda kwamazwi ake. Vakati kumudzimai uya, “Zvino hatitendi pamusana pamazwi ako nokuti isu tazvinzwira toga. Tavakuziva kuti zvechokwadi uyu ndiye Muponesi wapasi pose.” Mushure memazuva maviri aya akaenda kuGarirea. Iye Jesu pachake akanga ambopupurawo kuti, “Muporofita haaremekedzwi munyika make.” Paakasvika kuGarirea, vaGarirea vakamugamuchira nokuti vakanga vaona zvose zvaakaita kuJerusaremu pamazuva makuru nokuti naivowo vakanga vaenda kumazuva makuru iwayo. Akaendazve kuKana yokuGarirea kwaakanga asandura mvura ikava waini. KuKapenaumu kwaiva negurukota rairwarirwa nomwana mukomana. Murume uyu paakanzwa kuti Jesu akanga auya kuGarirea achibva kuJudhea akaenda akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake nokuti akanga avapedyo nokufa. Saizvozvo akati kwaari, “Kana musina kuona zviratidzo nezvishamiso hamutendi.” Gurukota riya rakati kwaari, “Changamire uyai mwana wangu asati afa.” Jesu akati, “Chiendai zvenyu mwana wenyu achararama.” Murume uya akadavira zvaakaudzwa naJesu akabva aenda. Paakanga avakudzika vashandi vake vakasangana naye vakamuudza kuti, “Mwana wake akanga ararama.” Naizvozvo akabvunza nguva yaakatangisa kuita zvakanaka. Vakati kwaari, “Denda rakamusiya nezuro panguva dzahwani masikati. ” Baba ava vakabva vazviziva kuti ndiyo nguva iya Jesu yaakataura kuti Mwana wenyu achararama. Naizvozvo iye pamwechete nevemhuri yake yose, akatenda. Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu paakabva kuJudhea achiuya kuGarirea. Mushure maizvozvi kwakaita zuva guru ravaJudha, Jesu akakwira kuJerusaremu. Zvino muJerusaremu mune dziva riri pedyo neSuwo guru reHwai rinonzi Bhetisaidha muchiHebheru, rine maperere mashanu. Mumaperere imomo maiva navarwere; vaiti mapofu nemhetamakumbo navakafa mitezo. *** Ipapo paiva nomumwe murume akarwara kwamakore makumi matatu ana masere. Jesu paakamuona akati rabada uye achiziva kuti akanga akadai kwenguva ndefu, akamuti, “Unoda kuporeswa here?” Murwere akamupindura achiti, “Changamire ini handina anondiisawo mudziva kana mvura yabvongodzwa. Pandinenge ndoti ndichipindawo mumwe anobva anditangira.” Jesu akati kwaari, “Chisimuka utore rukukwe rwako ufambe.” Pakarepo munhu uya akabva aporeswa. Akatora rukukwe rwake akabva afamba. Musi iwoyo wakanga uri musi weSabata. Ipapo vaJudha vakati kumunhu akanga aporeswa, “Nhasi iSabata, haubvumirwi kuti utakure rukukwe rwako.” Asi iye akavapindura achiti, “Munhu andiporesa ndiye andiudza kuti, ‘Tora rukukwe rwako ufambe.’ ” Vakamubvunza kuti, “Ndiani munhu iyeyo akutaurira kuti tora rukukwe rwako ufambe?” Asi munhu uya akaporeswa haana kuziva kuti ndiani nokuti Jesu akanga anyangarika sezvapanga paina manyoremanyore avanhu. Mushure mezvo Jesu akamuwana paTemberi akamuti, “Tarisa uone kuti wapora; usatadzezve kuti urege kuwirwa nezvakapinda izvi.” Murume uya akabva aenda akandotaurira vaJudha vaya kuti Jesu ndiye akanga amuporesa. Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vaonese Jesu nhamo nokuti akaita zvinhu zvakadai nomusi weSabata. Asi Jesu akavapindura achiti, “Baba vangu vanoshanda nazvino neniwo ndinofanira kushanda.” Ndokusaka vaJudha vakatonyanya kuda kumuuraya nokuti haana kungotyora chete mutemo weSabata, asi kuti akatiwo Mwari ndiBaba vake pachake achizvienzanisa naMwari. Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Mwanakomana haakwanisi kuita chinhu nokwake pachake asi kuita zvaanoona Baba vachiita nokuti zvavanoita ndizvowo zvaanoita. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanenge vachiitawo pachavo uye vachamuratidza mabasa makuru kupinda iwaya kuti mushamiswe. Nokuti sezvinongoita Baba kumutsa vakafa vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopawo upenyu kune waanenge ada. Baba havatongi munhu, asi vakapa kutonga kwose kumwanakomana kuti vose varemekedze mwanakomana sokuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedzi Mwanakomana haaremekedzi Baba vakamutuma. Zvirokwazvo Zvirokwazvo ndinoti kwamuri anonzwa izwi rangu uye achitenda akandituma anoupenyu husingaperi haagadzwi dare; asi atobva kurufu achienda kuupenyu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri nguva iri kuuya uye yatosvika yokuti vakafa vanzwe izwi roMwanakomana waMwari. Avo vacharinzwa vachava vapenyu. Sezvo Baba vari dzinde roupenyu saizvozvo vakaitawo kuti Mwanakomana ave nedzinde roupenyu maari, vakamupa ukuru kuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana womunhu. Musashamisike nezvizvi zvokuti nguva iri kuuya yokuti vose vari mumakuva vachanzwa izwi rake vagobudamo. Vakaita zvakarurama vachimukira upenyu, vanenge vakaita zvakaipa vachimukira kutongwa. Hapana chandinogona kuita nokwangu ndoga. Sokunzwa kwandinenge ndaita kuna Baba ndiwo matongero andinoita; uye kutonga kwangu kwakarurama nokuti handitsvaki kuita kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma. Ndikazvipupurira, kupupura kwangu hakusi kwechokwadi. Kune mumwe anondipupurira uye ndinoziva kuti kundipupurira kwake ndekwechokwadi. Makatuma nhume kuna Johani akapupurira chokwadi. Zvisingarevi zvazvo kuti ini ndinovimba nouchapupu hwomunhu. Asi ndinotaura izvi kuti imi muponeswe. Akanga ari rambi rinopfuta uye rinopenya imi mukafarira kuva muchiedza chake kwekanguva. Asi uchapupu hwandinahwo hukuru kupinda hwaJohani nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze, mabasa iwayo andiri kuita anondipupurira kuti Baba ndivo vakandituma. Ivowo Baba vakandituma vanondipupurira. Izwi ravo hamusati mamborinzwa chimiro chavo hamusati mambochiona. Uyewo izwi ravo harigari mamuri nokuti hamudaviri uyo wavakatuma. Munotsvagatsvaga muMagwaro Matsvene nokuti munofunga kuti maari munowana upenyu husingaperi Magwaro iwayo ndiwo anotondipupurira. Asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muwane upenyu. Ini handitsvagi kuwana mbiri inobva kuvanhu. Asi sokukuzivai kwandinoita, rudo rwaMwari mamuri hamuna. Ndakauya ini muzita raBaba vangu asi hamundigamuchiri asi mumwewo akauya muzita rake iyeyo ndiye wamunogamuchira. Mungatenda sei imi munofarira kurumbidzana, musingatsvaki mbiri inobva kuna Mwari mumwechete. Musafunge kuti ini ndini ndichakupai mhosva panaBaba asi Mosesi wamunovimba naye, ndiye achakupai mhosva. Dai maidavira muna Mosesi maidavirawo mandiri nokuti akanyora nezvangu. Zvino kana musingatendi zvaakanyora mungatenda sei mashoko angu.” Mushure maizvozvo Jesu akaenda kumhiri kwegungwa reGarirea kana kuti gungwa reTibheriasi. Gurumwandira ravanhu rakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakaita pavarwere. Jesu akakwira mugomo ndokugara pasi navadzidzi vake. Izvozvo mazuva makuru avaJudha ePasika akanga ava pedyo. Jesu paakasimudza musoro akaona manyoramanyore avanhu achiuya kwaari. Akati kuna Firipi, “Tichatenga kupi chingwa chokuti vanhu ava vadye.” Izvi akataura kuri kumuedza zvake. Nokuti iye aiziva zvaaizoita. Firipi akamupindura achiti, “Mazana maviri emari yemadhenari haigoni kutenga chingwa chinokwana kuti mumwe nomumwe awane kachidimbu.” Mumwe wavadzidzi vake ainzi Andireya, munun'una waSimoni Pita akati kwaari, “Pane mukomana ari pano ane zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri asi zvingabatsirei panavanhu vakawanda kudai.” Jesu akati itii vanhu vagare pasi. Ipapo pakanga paine uswa hwakawanda. Varume vakagara pasi vainge zviuru zvishanu. Jesu ndokutora zvingwa zviya otenda Mwari ndokuzvigovera kuvanhu vakanga vakagara pasi. Akaita zvimwechetezvo nehove dziya. Akavapa pamadiro avo. Pavakanga vaguta akati vadzidzi vake vaunganidze zvimedu zvakasara kuitira kuti pashaye nechinoraswa. Saizvozvo vakazviunganidza vakazadza tswanda gumi nembiri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu zvakasiiwa navakadya vaya. Vanhu pavakaona chiratidzo chaakanga aita, vakati chokwadi uyu ndiye muporofita uya ainzi ari kuuya pasi pano. Zvino Jesu paakazviona kuti vakanga vavakuuya kuzomumanikidza kumuita mambo, Jesu akabva abvazve pavari akaenda kumakomo ari oga zvake pachake. Ava madeko, vadzidzi vake vakadzika kugungwa vakapinda mugwa vakatangisa kuyambuka gungwa vachienda kuKapenaumu. Izvozvo kwakanga kwasviba. Uye Jesu akanga asati auya kwavari. Gungwa rakanyanduka nokuda kwemhepo yaivhuvhuta nesimba. Vadzidzi pavakanga vakwasva kwamakiromita mashanu kana kuti matanhatu vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiuya pedyo negwa. Vakabva vabatwa nokutya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatye zvenyu.” Naizvozvo vakabva vafara kumugachira mugwa. Pakarepo igwa rakabva rasvika kumahombekombe ekwavaienda. Ramangwana racho, vanhu vaya vakasara kumhiri kwegungwa, vakazviona kuti pakanga pane igwa rimwechete chete ipapo. Uye kuti Jesu haana kunge apinda muigwa iroro pamwechete navadzidzi vake asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. Asi pane magwa akabva kuTibheriasi akasvikawo pedyo nenzvimbo yavakadya chingwa chiya mushure mokunge Tenzi ambotenda. Zvino vanhu pavakaona kuti Jesu akanga asipo pamwechete navadzidzi vake, ivo pachavo vakapinda mumagwa aye vakaenda kuKapenaumu kundotsvaka Jesu. Pavakamuwana kumhiri kuya kweGungwa, vakati kwaari, “Rabhi makauya kuno riniko?” Jesu akavapindura achiti, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri hamusi kunditsvaka nokuti makaona zviratidzo asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musashandire chokudya chinopera asi chokudya chinogara kusvikira kuupenyu husingaperi chamunopiwa noMwanakomana womunhu, nokuti Mwari Baba vakaisa rupawo rwavo paari.” Ivo ndokuti kwaari, “Chii chatingaite kuti tishande mabasa aMwari?” Jesu akavapindura achiti, “Basa raMwari nderiri rokuti: Imi munofanira kutenda muna iye waakatuma.” Saka vakati kwaari, “Ko zvino iwe chiratidzoi chaungaite kuti tione tigotenda mauri; chii chaungaite? Madzibaba edu vakadya mana murenje sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.” Jesu akati kwavari: “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, haasi Mosesi akakupai chingwa chinobva kudenga. Baba vangu ndivo vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndechiya chinobva kudenga uye chinopa upenyu kunyika.” Vakati kwaari, “Tenzi tipei chingwa ichocho nguva dzose.” Jesu akati kwavari, “Ini ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri haaiti nzara uye anotenda mandiri haambofa akanzwa nyota. Asi imi, sezvandambokuudzai munondiona zvenyu asi hamutendi. Chose chandinopiwa naBaba chinouya kwandiri uye anenge auya kwandiri handimurasiri kunze. Nokuti ndakauya ndichibva kudenga kwete kuzoita kuda kwangu asi kuda kwewakandituma. Kuda kwewakandituma ndokuku kwokuti handifaniri kurasikirwa nechose zvacho chaanenge andipa asi kutochimutsa pazuva remhedziso. Uku ndiko kuda kwababa vangu kokuti wose anoona mwanakomana achitenda maari awane upenyu husingaperi uye ndichamumutsa nezuva remhedziso.” VaJudha vakabva vamunyunyutira nokuti akati, “Ndini chingwa chakabva kudenga.” Vakati, “Uyu handiye here Jesu Mwanakomana waJosefi watinoziva baba naamai vake. Zvino angagoti sei ndakaburuka kudenga.” Jesu akavapindura achiti, “Musanyunyute pakati penyu. “Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’ Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri anotenda anoupenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.” VaJudha vakaitirana nharo pachavo vachiti, “Munhu uyu angatipe sei nyama yake kuti tidye?” Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu kudya chaiko uye ropa rangu kunwa chaiko. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri neniwo maari. Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu uye kuti ndinoraramiswa naBaba ndizvozvowo zvinoita vanondidya vachararamiswa neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chisina kufanana nechakadyiwa, namadzitateguru enyu vakafa. Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu. Vamwe vadzidzi vake vazhinji pavakazvinzwa vakati, “Zviri kutaurwa izvi zvakaoma, ndiani angateerera zvakadai.” Asi Jesu paakazviziva nechomumwoyo kuti vadzidzi vake vari kunyunyuta nazvo, akati kwavari, “Zvakugumburai here izvi? Ko maiita sei dai kuri kuti munotoona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva kare. “Mweya ndiwo anopa upenyu; nyama haina maturo. Mazwi andataura kwamuri, mweya noupenyu. “Asi pane vamwe venyu vasingadaviri. Chaimupa kudaro ndechokuti Jesu aiziva kubvira pokutanga kuti ndavanani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.” Akatizve ndokusaka ndakutaurirai kuti, “Hapana angauye kwandiri kana asina kuzvipiwa naBaba.” Mushure maizvozvo vazhinji vavadzidzi vake vakamusiya vakasazofambazve naye. Jesu akati kune vanegumi navaviri vaya, “Kana imi mava kudawo kuenda here?” Simoni Pita akamupindura achiti, “Tenzi tingaende kuna aniko, imi ndimi muna mazwi oupenyu husingaperi. Takadavira uye tinoziva kuti imi ndimi Mutsvene waMwari.” Jesu akapindura achiti, “Ndakakusarudzai muri gumi navairi handiti? Asi mumwe wenyu ndiDhiabhori.” Aitaura nezvaJudhasi mwana waSimoni Isikarioti. Nokuti iyeyu, mumwe chaiye wavanegumi navaviri ndiye aizomutengesa. Mushure maizvozvi, Jesu aingotenderera ari muGarirea asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaida kumuuraya. Izvozvo, mazuva makuru avaJudha amatumba akanga ava pedyo. Naizvozvo vakomanavanun'una vake vakati kwaari, “Dai mabva kuno muende kuJudhea kuti vadzidzi venyu vaone mabasa amuri kuita. Nokuti hapana munhu anoita zvomuchivande kana achida kunyatsozivikanwa. Kana muchitoita mabasa akadai zviratidzei kunyika. Asi ivowo, vakoma navanun'una vake vakanga vasingatendi maari.” Jesu akavati, “Nguva yangu haisati yasvika asi kwamuri chero nguva inguva kwayo. Imi nyika haikuvengei asi ini inondivenga nokuti ndinoidurira kuti zvainoita zvakaipa. Imimi endai zvenyu kumazuva makuru iwayo ini handisati ndoenda kumazuva makuru iwaya nokuti nguva yangu haisati yanyatsokwana.” Akataura izvi ndokubva asara zvake kuGarirea. Vakoma navanun'una vake pavakaenda kumazuva makuru aya iye akazoenda zvechiverevere, zvisingaonekwi navanhu. VaJudha vakanga vachimutsvaka pamazuva makuru iwayo vachiti, “Ko ari kupiko?” Pakanga pachiitwa chizevezeve kwazvo nezvake mukati mavanhu. Vamwe vaiti, “Munhu wakanaka;” vamwewo vachiti, “Kwete, ari kurasisa vanhu kusiri iko.” Asi pamusana pokutya vaJudha hapana aitaura pachena nezvake. Pava pakati pamazuva makuru iwayo Jesu akaenda muTemberi akatangisa kudzidzisa. VaJudha vakashamiswa nazvo vachiti, “Ko munhu uyu akawanepiko ruzivo rwaanarwo iye asina kudzidza?” Jesu akapindura achiti, “Zvandinokudzidzisai hazvisi zvomusoro wangu asi zvinobva kunaiye akandituma. Kana munhu ane chido chokuita zvinoda Mwari anobva aziva kuti rudzidziso urwu runobva kuna Mwari here, kana kuti ndiri kutaura zvomusoro wangu. Kana munhu achitaura zvomusoro wake anotsvaka mbiri yake asi munhu anotsvaka mbiri youyo anenge amutuma ari pachokwadi uye maari hamuna unyengedzi. Mosesi akakupai Mutemo handiti? Asi hapana kana mumwe anochengeta mutemo iwoyo. Munoda kundiurairei?” Vanhu vakamupindura vachiti, “Une mweya wakaipa iwe! Ndiani arikuda kukuuraya?” Jesu akavapindurawo achiti, “Ndakangoita chiitiko chimwechete mose mukabva mashamiswa. Mosesi akakutii muite dzingiso (zvisingarevi zvazvo kuti zvakabva kuna Mosesi asi kumadzitateguru enyu) asi imi munodzingisa munhu nezuva resabata. Kana muchidzingisa munhu nezuva reSabata muchiitira kuti mutemo waMosesi urege kutyorwa. Ko zvino munoshatirirwei kana ndakaporesa munhu zvokupedzeredza pamusi weSabata? Musatonge chinhu nezvamunoona kunze kwacho tongai nemwero kwawo wokutonga.” Nezvo vamwe vanhu vokuJerusaremu vakati, “Haasi iye munhu wavari kuda kuuraya here uyu. Hoyu ari kutaura pachena chena; asi hapana chavari kutaura kwaari, zvinoreva here kuti vakuru vakuru vava kunyatsoziva kuti uyu ndiye Mesia. Kunobva munhu uyu tinokuzivaka isu asi kana Mesia ouya hapana anoziva kwaanobva.” Naizvozvo Jesu akadaidzira achidzidzisa muTemberi achiti, “Heya munotondiziva nokwandinobva kwose nhai? Asi ini handina kungouya zvomusoro wangu ndakatotumwa nouyo ari pachokwadi wamusingazivi imi. Ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uyewo ndiye akandituma.” Naizvozvo vakada kumusunga. Asi hapana akambomubata nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji vakatenda maari vachiti, “Ko iye Kristu kana azouya, achaita zviratidzo zvakawanda kupfuura zvakaitwa nomunhu uyu here?” VaFarisei vakanzwa zevezeve raiitwa navanhu nezvake. Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisei, vakatuma mapurisa apaTemberi kundomusunga. Jesu akati, “Ndichangova nemi kwekanguva kadiki; ndozodzokera kune wakandituma. Muchanditsvaka asi hamundiwani uye kwandinenge ndiri hamukwanisi kuuyako.” VaJudha vakataurirana vachiti, “Ko munhu uyu ari kuda kuenda kupiko, kwatisingakwanisi kumuwana? Arikuda kuenda kuvaJudha vakapararira kuvaGiriki achindodzidzisa vaGiriki here? Ko anoreveiko kana achiti, “ ‘Muchanditsvaka asi hamundiwani uye kwandinenge ndaenda imi hamukwanisi kuuyako.’ ” Pazuva rokupedzisa ramazuva makuru aya zuva racho rakanga riri guru kupinda ose zvawo Jesu akasimuka akaparidza achiti, “Aninani ane nyota ngaauye kwandiri anwe. Aninani anodavira mandiri, sokutaura kunoita Magwaro Matsvene mumwoyo make muchaerera nzizi dzemvura youpenyu.” Izvozvo aitaura nezvaMweya aizogamuchirwa navanotenda maari nokuti Mweya akanga asati apiwa kuvanhu nokuti Jesu akanga asati awaniswa mbiri yake. Vamwe vanhu vaiva mugungano iroro, pavakanzwa mazwi aya vakati, “Uyu ndiye chaiye muporofita uya.” Vamwewo vakati, “Uyu ndiye Mesia uyu.” Vamwe vakatiwo, “Mesia anofanira kubva kuGarirea here? Handiti Magwaro Matsvene anoti, ‘Mesia anofanira kuva chizvarwa chaDhavhidhi uye kuti anobva kuBheterehemu, musha waigara Dhavhidhi.’ ” Saizvozvo pakava nokutsaukana mukati mavanhu pamusana pake. Vamwe vaitoda kumusunga asi hapana kana neakambomubata zvake. Mapurisa aya akadzokera kuvapristi vakuru navaFarisei avo vakavati, “Sei musina kuuya naye?” Mapurisa akati, “Hapana munhu ati ambotaura somunhu uyu.” VaFarisei vakapindura vachiti, “Nemiwo marasiswa nhai? Pane mumwe wavakuru — vakuru kana mumwe wavaFarisei akatenda maari here kusiya vanamunhuwo zvavo ava vasingazivi mutemo uye vane rushambwa ava?” Nikodhimasi, uya akamboenda kwaari aiva mumwe wavo akati kwavari. “Zviya, handiti mutemo wedu haupe munhu mhosva asina kutanga ambonzwika uye kuziva zvaanoita?” Ivo vakapindura vachiti, “Asi newewo unobva kuGarirea su? Tsvagaka uone zvako kuti hakuna muporofita anobva kuGarirea.” Mumwe nomumwe akaenda kumusha kwake. Asi Jesu akaenda kugomo remuorivhi. Mangwanani ngwanani, akaendazve kuTemberi. Vanhu vose vakauya kwaari akagara pasi achivadzidzisa. Nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakauya kwaari nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamumisa pakati vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi mukadzi uyu abatwa ari mukuita upombwe. Zvino muMutemo, Mosesi akati tinofanira kutaka namabwe munhu akadai. Zvino imi munoti kudii naye?” Izvi vakataura vachida kuti vamunzwe kuitira kuti vawane mhosva yokumupa. Jesu akakotama akanyora pasi nomunwe wake. Pavakaramba vachingomubvunza akati twasu kumira ndokuti kwavari, “Uyo asina chitadzo pakati penyu ngaatange kumukanda dombo.” Ndokukotamazve onyora pasi nomunwe wake. Pavakazvinzwa vakaita rumwerumwe kubuda kuchitanga navakuru vacho. Jesu akasiiwa angova oga nomukadzi uya amire pamberi pake. Jesu akasimudza musoro akati kwaari, “Nhai mudzimai iwe vari kupi vaya? Hakuna neakupa mhosva here?” Iye akati, “Hapana changamire.” Jesu akati, “Kana neniwo handikupi mhosva chienda hako usazotadzazve.” Jesu akataurazve kwavari achiti, “Ndini mwenje wapasi anonditevera haafambi murima achave nechiedza choupenyu.” VaFarisei vakati kwaari, “Uri kuzvipupurira. Kuzvipupurira kwako hakusi kwechokwadi.” Jesu akapindura achiti, “Kunyange zvangu ndichizvipupurira, kuzvipupurira kwangu ndekwechokwadi nokuti ndinoziva kwandinobva uye kwandinoenda, asi imi hamuzive kwandinobva uye kwandinoenda. Imi munotonga namatongero avanhu, ini hapana wandinotonga ndichidaro. Kunyange dai ndaitonga zvangu, kutonga kwangu ndekwechokwadi nokuti handitongi nokwangu ndoga, asi pamwechete naiye wakandituma. Mumutemo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwavaviri ndehwechokwadi. Ndinozvipupurira uye Baba vakandituma vanondipupurirawo.” Vakati kwaari, “Ivo Baba vako varipiko?” Jesu akavapindura achiti, “Hamundizivi uye hamuzivi Baba vangu. Dai maindiziva mazivawo Baba vangu.” Mazwi aya akaataura ari nechekwaichengeterwa mari achidzidzisa ari muTemberi. Asi hapana akamusunga nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Akatizve, “Ndava kuenda, imi muchanditsvaka asi muchafira muzvitadzo zvenyu. Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.” VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?” Akati kwavari, “Imi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro, imi muri vapasi pano, ini handisi wapasi pano. Ndakutaurirai kuti muchafira muzvitadzo zvenyu kunze kwokunge matotenda kuti, ‘Ndiri iye wandiri.’ ” Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari, “Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga. Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu, uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo. Asi iye akandituma ari pachokwadi saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.” Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’ uye kuti handiiti zvomusoro wangu asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba. Iye akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga nokuti ndinogaroita zvinomufadza.” Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari. Jesu akati kuna vaJudha vakanga vatenda maari, “Kana mukagara muchichengeta izwi rangu, muri vadzidzi vangu chaivo uye muchaziva chokwadi, uyezve chokwadi chichakupai rusununguko.” Vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu hatisati tambova varanda vomumwe munhu. Zvino ungagotaura sei uchiti muchawana rusununguko?” Jesu akavapindura achiti, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, munhu wose anopara chitadzo muranda wechitadzo. Mumhuri, muranda mupfuuri chete, asi mwana ndewemo nokusingaperi. Saizvozvo kana Mwanakomana akakupai rusununguko muchava norusununguko ruzere. Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu, asi munoda kundiuraya nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri. Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu. Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.” Vakamupindurawo vachiti, “Abhurahamu ndivo Baba vedu.” Jesu akavati, “Dai muri vana vaAbhurahamu mungadai muchiita zvaiitwa naAbhurahamu. Asi zvino munoda kundiuraya; ini ndiri munhu akakutaurirai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Izvi hazvisirizvo zvaiitwa naAbhurahamu. Imi munoita zvinoitwa nababa venyu.” Ivo vakati kwaari, “Isu hatisi vana vomusango. Tina Baba mumwechete, iye Mwari pachake.” Jesu wakavati, “Dai Mwari ari Baba venyu mungadai muchindida nokuti Mwari ndiye dzinde rokwandinobva. Handina kungouyawo zvomusoro wangu asi iye ndiye akandituma. Hamunzwisisi sei zvandinotaura? Chikonzero ndechokuti imi hamudi kunzwa zvandinoreva. Imi muri vana vababa venyu Dhiabhori uye chamakasarudza, kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari mhondi kubvira pakutanga, uye haanei nechokwadi nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, ari kutotaura maererano nezvaari nokuti iye munyepi uye ndibaba wamanyepo. Pamusana pokuti ndinotaura chokwadi, hamunditendi. Ndiani pakati penyu anganditi ndine mhosva yechitadzo? Ko zvino kana ndichitaura chokwadi ngei musingatendi mandiri. Munhu waMwari anonzwa zvinotaurwa naMwari nezvo imi hamuzvinzwi nokuti hamusi vanhu vaMwari.” VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatina kutaura chokwadi here isu kuti iwe uri muSamaria, uye kuti una mweya wakaipa?” Jesu akapindura achiti, “Ini handina mweya wakaipa. Ini ndinoremekedza Baba vangu asi imi munondishora. Asi ini handitsvaki mbiri yangu asi aripo mumwe anonditsvakira iyeyo ndiye achava mutongi. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu.” VaJudha vakati kwaari, “Zvino tava kuziva kuti une mweya wakaipa Abhurahamu; akafa vaporofitawo vakafa; asi iwe unoti munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu. Uri mukuru here pana baba vedu Abhurahamu akafa iwe uye vaporofita vakafa? Unozviti ani iwe?” Jesu akati, “Ini ndikazvirumbidza mbiri yangu haina maturo, Baba vangu ndivo vanondirumbidza, ivo vamunoti ndivo Mwari wenyu. Imi hamundizivi asi ini ndinovaziva. Kana ndikati handizivi, ndingatova munyepi semi; asi ini ndinovaziva uye ndinochengeta izwi ravo. Tateguru venyu Abhurahamu vakafarira kuti dai aizongoonawo nguva yangu akaiona akafara.” VaJudha vakati kwaari, “Iwe hausati wava namakore makumi mashanu ndopaungati wakaona Abhurahamu iwe?” Jesu akavati, “Zvechokwadi chaizvo Abhurahamu asati ambovapo INI NDIRI.” Naizvozvo vakanonga matombo kuti vamutake nawo asi Jesu akavanda akabva abuda muTemberi. Jesu paakanga achipfuura zvake akaona munhu akaberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti, “Nhai Mudzidzisi ndiani akatadza, munhu uyu kana kuti vabereki vake zvakaita kuti aberekwe ari bofu?” Jesu akapindura achiti, “Haasi munhu uyu akatadza kana kuti vabereki vake, asi zvakaitirwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari. “Tinofanira kuita mabasa euyo akandituma kuchakachena. Usiku huri kuuya hwokuti hapana anozokwanisa kushanda. Kana ndichiri pasi pano ndini chiedza chapasi.” Paakataura izvi akasvipira pasi, akakanya tudhaka ndokutwuisa pamaziso omunhu uya akamuti, “Chienda undoshamba mudziva reSiroamu” (zvinoreva kutumwa.) Ipapo akaenda akashamba akauya avakuona. Vavakidzani naye navamwe vaimbomuona achipemha vakati, “Uyu haasiri munhu uya here aigara pasi achipemha?” Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwewo vakati, “Kwete akangofanana naye.” Asi iye akati, “Ndini.” Vakati kwaari, “Ko maziso ako akazarurwa sei?” Iye akapindura achiti, “Munhu anonzi Jesu akanya tudhaka akazora maziso angu akanditi, ‘Enda kudziva reSiroamu ushambe.’ Saizvozvowo ndaenda ndikashamba ndikabva ndavakuona.” Vakati, “Ko zvino ari kupi?” Iye ndokuti, “Handizivi.” Vakaunza kuvaFarisei munhu uya akanga ari bofu. Zvino waiva musi weSabata Jesu paakakanya tudhaka akamuzarura maziso ake. VaFarisei vakamubvunzazve kuti aoneswa sei. Iye akavati aisa tudhaka pamaziso angu ndikashamba, zvino ndava kuona. Vamwe vaFarisei vakati, “Munhu uyu haabvi kuna Mwari nokuti haachengeti Sabata.” Vamwewo vakati, “Zvingaitike sei kuti munhu mutadzi aite zviratidzo zvakadai?” Pakabva pamuka nharo pakati pavo. Naizvozvo, vakatizve kubofu riya, “Ko iwe unotii nezvake zvaakusvinudza maziso.” Iye akati, “Munhu uyu muporofita.” VaJudha havana kudavira kuti akambenge ari bofu. Uye kuti akanga asvinudzwa maziso kusvikira vatodaidza vabereki vomunhu uya akanga asvinudzwa maziso. Vakavabvunza kuti, “Uyu mwana wenyu here uyu wamungati akaberekwa ari bofu; ko zvaitika sei kuti zvino avakuona?” Vabereki vake vakapindurawo vachiti, “Chatinoziva isu ndechokuti, uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa ari bofu. Asi zvokuti iye zvino ava kuona sei isu hatizvizivi kana kuzivawo kuti ndiani wamusvinudza maziso. Mubvunzei iye, inga abve zero wani. Anozvidavirira.” Vabereki vake vakadaro pamusana pokuti vaitya vaJudha nokuti vaJudha vakanga vatorangana kuti munhu anenge angoti iye ndiye Mesia anofanira kudzingwa muSinagogu. Ndokusaka vabereki vake vakati, “Inga abve zero wani, mubvunzei iye.” Naizvozvo vakadaidzazve kechipiri munhu uya akaberekwa ari bofu vakamuti, “Iwe remekedza Mwari, isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.” Iye akapindura achiti, “Zvokuti mutadzi ini handizvizivi asi chandinoziva chimwechete chokuti ini ndanga ndiri bofu, zvino ndavakuona.” Vakati kwaari, “Chii chaaita kwauri. Akusvinudza maziso ako sei?” Iye akavapindura achiti, “Inga ndakutaurirai kare wani, mukaramba kuteerera. Munodirei kuzvinzwa zvakare? Asi mavakudawo kuva vadzidzi vake nhai?” Vakabva vamunyomba vachiti, “Iwe ndiwe ungatova mudzidzi wake isu tiri vadzidzi vaMosesi. Isu tinoziva kuti Mwari akataura kuna Mosesi. Asi zvomunhu uyu, hatizivi kwaanobva.” Munhu uya akavapindura achiti, “Apokaapo, izvi zvinoshamisa izvi, heya hamuzivi kwaanobva asi iye andisvinudza maziso angu? Tinoziva kuti Mwari haateeri vatadzi, asi kana munhu ari munamati waMwari, uye achiita kuda kwake, Mwari anomunzwa. Kubvira pakutanga kwapasi, hakuna kumbonzwika kuti pane akambozarura maziso omunhu akazvarwa ari bofu. Dai munhu uyu anga asingabvi kuna Mwari hapana chaaikwanisa kuita.” Vakati kwaari, “Iweka iwe, chiberekerwo chako uri mutadzi chaiyeiye. Ndiwe ungade kutidzidzisa iyewe.” Vakabva vamudzinga. Jesu akazvinzwa kuti vamutandanisa. Paakamuona akamuti, “Unotenda here muna Mwanakomana womunhu?” Iye akapindura achiti, “Ndiani iyeyo nhai, changamire kuti nditende maari.” Jesu akamuti, “Wamuona, ndini iye uno ari kutaura kwauri.” Iye akati, “Tenzi ndinotenda,” akabva amugwadamira. Jesu ndokubva ati: “Ndakauya kuti vanhu vazvitongese kuti vasingaoni vaone uye kuti vanoona varege kuona.” Vamwe vaFarisei vakanga vari pedyo naye vakazvinzwa, vakati kwaari, “Nesuwo tiri mapofu here isu?” Jesu akati kwavari, “Dai muri mapofu mungadai musina mhosva. Asi zvino zvamunoti tinoona mhosva yenyu inongoramba iripo.” Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo pedanga rehwai asi achikwira napamwe munhu iyeyo imbavha negororo. Asi anopinda napamusuo ndiye mufudzi wehwai. Muchengeti wapasuo guru, anomuzarurira musuo; uye hwai dzinonzwa izwi rake. Anodaidza hwai dzake namazita achidzitungamirira kunze. Kana achinge adziburitsa dzose panze, anodzitungamirira uye hwai dzinomutevera nokuti dzinoziva izwi rake. Mweni hadzimuteveri, asi dzinotomutiza nokuti hadzizivi izwi ravaenzi.” Jesu akavashandisira muenzaniso uyu, asi ivo havana kunzwisisa zvaaireva kwavari. Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri, “Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai. Vose vakanditangira dzaiva mbavha namakororo asi hwai hadzina kuvateerera. Ini ndini musuo. Anopinda napandiri achaponeswa; achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro. Mbavha inouya chete kuzoba, nokuzouraya nokuparadza, ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu huzere. Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake. Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira. Anotiza nokuti muronzerwi chete uye haana hanya nehwai. Ini ndini mufudzi wakanaka ndinoziva hwai dzangu uye hwai dzangu dzinondizivawo sokundiziva kunoita Baba, iniwo ndinoziva Baba, ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu kuitira hwai. Ndine dzimwe hwai dzisiri dzedanga rino ndinofanira kudziunzawo. Idzo dzichanzwawo izwi rangu saizvozvo kuchava nedanga rimwechete nomufudzi mumwechete. Baba vanondida pamusana pokuti ndinoparadza upenyu hwangu kuti ndizougamuchirazve. Hapana anonditorera, kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu. Ndinesimba rokuhuparadza uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare. Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.” Pakabva pamuka nharo pakati pavaJudha pamusana pamazwi aya. Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa uye anopenga sei muchimuteerera.” Vamwewo vakati, “Uku hakusi iko kutaura kwomunhu ane Mweya wakaipa. Mweya wakaipa ungazarure maziso ebofu here?” Paiva pazuva rokurangarira zuva guru reChenura kuJerusaremu. Yaiva iri nguva yechando. Jesu aifamba zvake paTemberi muberere raSoromoni. Saka vaJudha vakamuunganira vakamuti, “Unoda kuti timirire kusvikira riniko? Kana uriwe Mesia tiudze pachena.” Jesu akavapindura achiti, “Ndakakutaurirai asi hamutendi mabasa andinoita muzita raBaba vangu anondipupurira. Asi imi hamutendi nokuti hamusi hwai dzangu. Hwai dzangu dzinonzwa izwi rangu, uye ndinodziziva uyewo dzinonditevera. Iniwo ndinodzipa upenyu husingaperi, saizvozvo hadzimbofa dzakaparara. Hakuna angadzibvute mumaoko mangu. Baba vangu vakadzipa kwandiri vakuru kupinda ani zvake uye hapana anogona kudzibvuta mumaoko aBaba. Ini naBaba tiri mumwechete.” VaJudha vakatorazve matombo kuti vamutake nawo. Jesu akavapindura achiti, “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka anobva kuna Baba; amunonditakira ndaapi ipapa?” VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa rakanaka asi kushonha Mwari nokuti iwe uri munhu kudai asi uri kuzviita Mwari.” Jesu akavapindura achiti, “Hazvina kunyorwa here mumutemo wenyu zvichinzi, ‘Ndakati muri vanamwari.’ Kana akavati ndavanamwari vaya vakavingwa nezwi raMwari. Saka Magwaro Matsvene haapikiswi. Zvino munoti uyo akaitwa mutsvene naBaba, akatumwa pasi pano, uri kushonha Mwari nokuti ndati ndiri Mwanakomana waMwari. Kana ndisiri kuita mabasa aBaba vangu regai zvenyu kunditenda. Asi kana ndichiaita kunyange zvenyu musingatendi mandiri tendai mabasa kuti muzive uye munzwisise kuti Baba vari mandiri uye kuti Ini ndiri muna Baba.” Vakaedzazve kumubata asi akapunyuka mumaoko avo. Akaendazve kumhiri kwaJorodhani paya paimboombekera Johani pakutanga, akambogarako. Vanhu vakawanda vakauya kwaari. Vakati, “Johani haana zvake kuita zvishamiso asi zvose zvakataurwa naJohani nezvomunhu uyu ndezvechokwadi.” Vazhinji vakabva vadavira maari ipapo. Kwaiva nomumwe murume airwara ainzi Razaro wekuBhetania, mumusha waigara Maria nomukoma wake Marita. Maria ndiye uya akambozora Jesu namafuta akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Ndiye ane hanzvadzi yake Razaro airwara. Hanzvadzi dzake dzakatuma shoko rokuti, “Tenzi mudikanwi wenyu kuno warwara.” Jesu paakazvinzwa akati, “Kurwara uku hakupereri murufu, ndekwekuratidza mbiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nako.” Jesu aida Marita nomunun'una wake naRazaro. Paakanzwa kuti ari kurwara akagara mamwe mazuva maviri kwaakanga ari ikoko. Mushure maizvozvi akati kuna vadzidzi, “Handei zvakare kuJudhea.” Vadzidzi vake vakamuti, “Rabhi vaJudha vaida kutokutakai namabwe, ko zvino modzokerazve here ikoko?” Jesu akapindura achiti, “Handiti zuva rina maawa gumi namaviri here? Aninani anofamba masikati haagumburwi nokuti anenge achiona chiedza chapasi. Asi munhu anofamba murima anoguhunwa nokuti maari hamuna mwenje.” Akataura izvi ndokubva ati, “Shamwari yedu Razaro yakotsira asi ndinoenda kundomumutsa muhope.” Vadzidzi vake vakati kwaari, “Tenzi kana kuri kuti avata achanaya.” Ipapo Jesu ainge achitaura nezvorufu rwake. Asi ivo vakafunga kuti aireva kuvata hope chaidzo. Jesu ndokuzovataurira pachena kuti “Razaro wafa. Nokuda kwenyu ndinofara kuti ndakanga ndisiko kuti mudavire. Zvino ngatichiendai kwaari.” Tomasi anonzi, Mapatya akati kuna vamwe vake, vadzidzi “Handeiwo tindofa naye.” Jesu paakasvika akawana Razaro atova muguva kwamazuva mana. Bhetania iri pedyo neJerusaremu, makiromita anenge matatu. VaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuzovabata maoko ehanzvadzi yavo. Marita paakanzwa kuti Jesu avakusvika akaenda kundomuchingura Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Tenzi dai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Nyange iye zvino ndinoziva kuti chose chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka, pazuva remhedziso.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka nouupenyu. Anotenda mandiri kunyange akafa achava mupenyu. Munhu anogara akabatana neni uye anotenda mandiri haazombofa. Unotenda here izvi?” Akati kwaari, “Hongu, Tenzi chokwadi ndinotenda kuti ndimi Mesia. Mwanakomana waMwari anonzi achauya pasi pano.” Paakataura izvi akaenda akadaidza munun'una wake Maria chinyararire achiti, “Mudzidzisi ari pano uye anokudana.” Paakazvinzwa akabva asimuka nokukurumidza akaenda kwaari. Ipapo Jesu akanga asati apinda mumusha iwoyo. Akanga achiri paya paakachingurana naMarita. Naizvozvo vaJudha vakanga vaina Maria mumba vachimubata maoko, pavakamuona achisimuka nokukurumidza achibuda vakamutevera vachifunga kuti avakuenda kuguva kundochemako. Maria paakasvika paiva naJesu akamuona akawira pasi patsoka dzake achiti, “Tenzi dai makanga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu paakamuona achichema uye vaJudha vaakauya navo vachichemawo, akashungurudzwa mwoyo akatambudzika. Akati, “Makandomuradza kupi?” Vakati kwaari, “Tenzi, uyai muone zvenyu.” Jesu akachema. VaJudha vakati, “Tarisai muone kumuda kwaaiita.” Vamwewo vakati, “Ko iye akasvinudza bofu maziso aitadza here kudzivirira munhu uyu kufa.” Jesu akashungurudzwazve mumwoyo zvakanyanya ndokubva asvika paguva rakanga riri bako rine ibwe pamuromo paro. Jesu akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomufi, yakati kwaari, “Tenzi paari otonhuhwa nokuti atova namazuva mana akafa.” Jesu akati kwaari, “Handina here kumbokutaurira kuti ukatenda uchaona mbiri yaMwari.” Nokudaro vakabvisa ibwe riya. Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokutendai nokuti mandinzwa. Ndinoziva kuti munondinzwa nguva dzose. Asi ndataura izvi kuitira vanhu vamire pano ava, vadavire kuti makandituma.” Paakataura izvi akazodaidzira nezwi guru achiti, “Razaro buda!” Mufi akabva abuda maoko ake namakumbo akamoneredzwa netumicheka uso hwake hwakanga hwakaputirwa nejira. Jesu akavati, “Musunungurei aende.” Naizvozvo vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Maria vakaona zvaakanga aita vakatenda maari. Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisei vakavataurira zvakanga zvaitwa naJesu. Ipapo vakuru vakuru vavapristi navaFarisei vakaunganidza makurukota avo padare vakati, “Toita sei, nokuti munhu uyu anoita zviratidzo zvakawanda. Tikamurega achidaro vose vachatenda maari, vaRoma vachauya vakaparadza Temberi iyi nerudzi rwedu.” Asi mumwe anonzi Kaifasi, aiva ari mupristi mukuru gore iroro akati kwavari, “Inga hamuna nechamunoziva, hamuzivi kuti zvakanaka kwamuri kuti munhu mumwechete afire vanhu kuti rudzi rwose rwurege kuparara.” Haana kutaura izvi nokuda kwake oga asi somupristi mukuru wegore iroro aiporofita kuti Jesu anofanira kufira rudzi. Uye kwete kufira rudzi chete asi kukokorodza pamwechete vana vaMwari vakapararira kwose kwose. Saizvozvo kubvira pazuva iroro vakarangana kuti vangamuuraye sei. Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena mukati mavaJudha. Akabvapo akaenda kunyika iri padyo nerenje kuguta rinonzi Efuremu. Akagara navadzidzi vake ikoko. Izvozvo Pasika yavaJudha yakanga yava kusvika saka vanhu vazhinji vaibva kumaruwa vachikwira kuJerusaremu pasika isati yasvika vachindozvichenura. Vaitsvaka Jesu vachitaurirana vamire muTemberi vachiti, “Munofungei nhaimi? Angarege here kuuya kuzuva guru.” Zvino vapristi vakuru navaFarisei vakanga vakomera kuti anenge angoziva kwaari anofanira kuvazivisa kuti vamusunge. Mazuva matanhatu ePasika asati asvika Jesu akaenda kuBhetania kwaiva naRazaro waakanga amutsa muvafi. Vakamuitira mabiko ikoko Marita ndiye aivashandira. Razaro ainge ari mumwe wavaidya naye pateburu. Maria akatora hafu yerita yamafuta anokosha enadi chaiyoiyo akazora nawo tsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Imba yakazara nokunhuwirira kwamafuta iwayo. Asi Judhasi mumwe wavadzidzi vake, uya akanga achazomupandukira akati: “Mafuta aya aregerereiko kutengeswa nemari yesirivha yedhenariusi inoita mazana matatu yapihwa kuvarombo?” Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe. Jesu akati, “Muregei henyu, dai anga atoachengetera zvake zuva rokuvigwa kwangu. Varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.” Gungano guru ravaJudha parakanzwa kuti Jesu akanga ariko rakauya kwete pamusana paJesu chete asi kuzoonawo Razaro waakanga amutsa kuvafi. Naizvozvo vapristi vakuru vakarangana kuurayawo Razaro. Chikonzero chacho chiri chokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vavakubva vachinotenda muna Jesu. Zuva ramangwana racho gungano guru ravanhu rakanga rauya kuzuva guru rakanzwa kuti Jesu ari kuuya kuJerusaremu. Nokudaro vakakwanhura mapazi omurara vakaenda kundomugamuchira vachidaidzira vachiti, “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi ndiye mambo weIsiraeri.” Jesu akawona chigondora chedhongi akachitasva sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Usatye zvako iwe mukunda weZioni, tarisa uone mambo wako ari kuuya akatasva pachigondora chedhongi.” Pakutanga vadzidzi vake, izvi havana kuzvinzwisisa. Asi Jesu paakawana mukurumbira wake ndopavakayeuka kuti izvi zvakambenge zvakanyorwa nezvake uye kuti ndizvo zvakanga zvaitika kwaari. Chikwata chavanhu chakanga chinaye paakadaidza Razaro muguva akamumutsa muvafi, chakamupupurira. Chakaendera chikwata ichocho kundomuchingura, ndechokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichocho. VaFarisei vakataurirana kuti, “Chitarisaika muone. Hapana chamunombogona kuita. Onai nyika yotomutevera.” Pakati pevanhu vakaenda kundonamata kuzuva guru paiva navamwe vaGiriki. Ivava vakaenda kuna Firipi aibva kuBhetisaidha muGarirea vakati kwaari, “Changamire tinodawo kuona Jesu.” Firipi akaenda akandotaurira Andireya. Andireya akaenda naFiripi vakandoudza Jesu. Jesu akavapindura achiti, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu zvino achiwana mukurumbira. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kusatoti tsanga yekoroni yawira muvhu ikafa inoramba ichingova yoga asi ikafa inobereka muchero wakawanda. Anoda upenyu hwake anorasikirwa naho, asi uyo anovenga upenyu hwake pasi pano anohuchengeta kusvikira kuhupenyu husingaperi. Anoda kundishandira, anofanira kunditevera, kwandinenge ndiri, mushandi wangu ndokwaanofanirawo kuva. Munhu akandishandira, Baba vachamukudza. “Iye zvino ndiri kushushikana mumwoyo Ndoti kudiiko? Baba ndipunyutseiwo kunguva iyi asi aiwa, inga zvenguva iyi ndizvo zvandakavinga wani. Baba rumbidzai zita renyu.” Ipapo izwi rakabva kudenga richiti, “Ndakarirumbidza uye ndicharirumbidzazve.” Chikwata chavanhu chakanga chiripo chakazvinzwa. Vakati, “Kwatinhira,” vamwewo vakati, “Mutumwa waMwari ataura kwaari.” Jesu akapindura achiti, “Izwi iri rauyira imi kwete ini.” Zvino kutongwa kwapasi pano kwasvika. Zvino mutongi wapasi pano ava kudzingirwa kunze. Iniwo kana ndarembedzwa pamusoro payo nyika, ndichakwezvera vanhu vose kwandiri. Akataura izvi achiratidza rufu rwaaizofa narwo. Gungano rakamupindura richiti, “Isu takanzwa muMutemo kuti Mesia achagara nokusingaperi. Ko zvino ungati sei Mwanakomana womunhu anofanira kuti asimudzwe. Ndianiko Mwanakomana womunhu iyeyo?” Jesu akavati, “Mwenje uchinemi kwechinguvana fambai muchine mwenje iwoyo kudai, mungadaro mukawirwa nerima. Anofamba murima haazivi kwaanoenda. Muchine mwenje kudai tendai mumwenje kuti muve vana vechiedza.” Jesu paakapedza kutaura izvi akabva akandozvivanza kwavari. Kunyange zvazvo akaita zviratidzo zvizhinji pamberi pavo asi havana kutenda maari. Zvakaitika kuti zvakataurwa nomuporofita Isaya zvizadziswe zvokuti, “Tenzi ndiani akatenda zvatakataura simba raMwari rakaratidzwa kunaani?” Naizvozvo havana kugona kutenda nokuti Isaya anotizve, “Akavapofomadza maziso akavagomadza mwoyo kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo vakanzwisisa nemwoyo yavo vakapindukira kwandiri ndikavaporesa.” Isaya akataura izvi nokuti akaona mbiri yake akataura nezvake. Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji, kunyange vakuru vakuru vakadavira maari. Asi pamusana pokutya vaFarisei havana kugona kuzvidura pachena kuri kutya kuti vangadzingwe muSinagogu. Chikonzero chacho chaiva chokuti vaida kurumbidzwa navanhu kupinda kurumbidzwa naMwari. Jesu akadaidzira achiti, “Anodavira mandiri haadaviri mandiri asi muna iye akandituma. Uyo anondiona anoona iye akandituma. Ndakauya sechiedza pasi pano kuti ani naani anotenda mandiri arege kugara murima. Ani naaniwo anonzwa zvandinotaura asingazvichengete handimupi mhosva nokuti handina kuuya kuzopa pasi mhosva asi kuzoponesa pasi. Anondiramba uye asingagamuchiri zvandinotaura ane anomutonga. Zvandakataura izvozvo ndizvo zvichamutonga pazuva remhedziso. Nokuti handina kutaura zvomusoro wangu. Baba vakandituma ndivo vakanditemera zvandinofanira kutaura nezvandinofanira kureva. Ndinozivawo kuti mutemo wavo ndiwo upenyu husingaperi, saka zvandinotaura, ndinotaura sokuudzwa kwandakaitwa naBaba.” Zuva rePasika risati rasvika Jesu akaziva kuti nguva yake yokusiya pasi achienda kuna Baba yakanga yasvika. Akada vake vakanga vari pasi pano akavada zvokupedzerera. Zvavakanga vari pakudya kwamauro Dhiabhori akanga atoisa muna Judhasi Isikarioti, mwana waSimoni pfungwa yokumupandukira. Jesu aizviziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti akabva kuna Mwari uyezve kuti akanga avakudzokera kuna Mwari. Naizvozvo akasimuka pakudya akabvisa hanzu yake yepamusoro ndokumonera tauro muchiuno. Akadira mvura mudhishi akatangisa kushambidza tsoka dzavadzidzi achidzipukuta netauro riya raakanga akazvimonera naro. Paakasvika pana Simoni Pita, Pita akati kwaari, “Nhai Tenzi ndimi mungashambidze tsoka dzangu here imi?” Jesu akamupindura achiti, “Zvandiri kuita haungazvizivi iye zvino asi uchazozvinzwisisa pashure.” Pita akati kwaari, “Hamumbofa makashambidza tsoka dzangu.” Jesu akamudaira achiti, “Kana ndisingakushambidze iwe unenge usisina chokuita neni.” Simoni Pita akabva ati kwaari, “Tenzi, kwete tsoka dzangu chete asi maoko angu nomusoro wanguwo.” Jesu akamuti, “Munhu anenge ashamba muviri haana chaanofanira kushambazve kusiya tsoka dzake bedzi nokuti anenge akachena muviri wose. Imi makachena asi kwete mose.” Akadaro nokuti aiziva aizomutengesa. Ndokusaka akati hamusi mose makachena. Paakapedza kuvashambidza tsoka dzavo akapfeka gemenzi rake riya akagara panzvimbo yake akavati: “Munoziva here zvandaita kwamuri? Munonditi Mudzidzisi uye Tenzi; ndizvozvo chaizvo nokuti ndizvozvo zvandiri. Zvino kana ini Tenzi nomudzidzisi wenyu ndakushambidzai tsoka kudai, imi munofanira kushambidzanawo tsoka. Nokuti ndatokupai muenzaniso izvozvi kuti muitewo zvandakuitirai. “Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri mushandi haasi mukuru kupfuura waanoshandira kana anotumwa pane anomutuma. “Kana muchiziva zvinhu izvi muchakomborerwa kana mukazviita. Handisi kureva mose; ndinoziva ini vandakasarudza kuti vanhui, uku kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “ ‘Wandinodya naye mundiro akandimukira.’ Ndiri kukutaurirai izvi iye zvino zvisati zvaitika kuti kana zvoitika mutende kuti ndini iye ari. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, ‘Anogamuchira wandinotuma anogamuchira ini. Anondigamuchirawo anogamuchira akandituma.’ ” Jesu paakataura izvi akashushikana mumwoyo akadura pachena achiti, “Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vake vakatarisana vasingazivi kuti ndiani waaireva. Mumwe wavadzidzi vake wapamwoyo akanga akazembera pachipfuva chaJesu. Ipapo Simoni Pita akaninira kwaari kuti, “Tiudze kuti ndiani waari kureva.” Akazembera kudai, munyasi mechipfuwa chaJesu, akati kwaari, “Tenzi ndianiko iyeyo?” Jesu akapindura achiti, “Ndouyo wandichapa musuva uyu ndauseva.” Saizvozvo akaseva musuva uya akaupa kuna Judhasi mwana waSimoni Isikarioti. Paakatambira musuva iwoyo Satani akapinda maari Jesu ndokumuti, “Zvauri kuda kuita chikurumidza kuzviita.” Kune vaiva pakudya hapana akaziva kuti akataurirei izvi. Vamwe vakafunga kuti, somunhu, aichengeta tsapo yemari Jesu aimutaurira kuti, “Enda undotenga zvatinoda pazuva guru kana kuti ape chimwe chinhu kuvarombo.” Paakangogamuchira musuva uya akabva abuda pakarepo. Hwakanga hwava husiku. Pakabuda Judhasi, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana womunhu awaniswa mbiri uye maari Mwari anowaniswa mbiri. Kana Mwari awaniswa mbiri maari Mwariwo achamuwanisa mbiri maari iye pachake achibva amuwanisa mbiri iyoyo pakarepo. Vanangu, ndichinemi kwechinguvana; muchanditsvaka, asi sezvandakataurira vaJudha, ndizvowo zvandinokutaurirai kwandirikuenda, imi hamukwanisi kuuyako. Asi ndinokupai mutemo mutsva unoti, ‘Idanai.’ Sokukudai kwandakaita, imi idanaiwo. Naizvozvo vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana muchidanana.” Simoni Pita akati kwaari, “Tenzi muri kuenda kupi?” Jesu akapindura achiti, “Kwandiri kuenda haugone kunditevera zvino asi uchanditevera zvako gare gare.” Pita akati kwaari, “Tenzi ndinotadza nei kukuteverai zvino? Ini ndinosarudza kukufirai.” Jesu akapindura achiti, “Heya unosarudza kundifira iwe? Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwauri Jongwe rinosara zvaro rokukuridza iwe unenge watondiramba katatu.” “Mwoyo yenyu ngairenge kutambudzika tendai muna Mwari mutendewo mandiri. Mumba maBaba vangu kune dzimba dzakawanda dai kwakanga kusina ndingadai ndakakuudzai. Ndiri kuendako kundokugadzirirai pokugara. Kana ndandokugadzirirai pokugara ndichauyazve ndozokutorai kuti kwandichange ndiri, imi muvekowo. Nzira yokwandinoenda munoiziva.” Tomasi akati kwaari, “Tenzi hatizivi kwamuri kuenda tingazive sei nzira yoko?” Jesu akamuti kwaari, “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri. Dai maindiziva maizivawo Baba vangu asi kubvira zvino mavakuvaziva uye makavaona.” Firipi akati, “Tenzi tiratidzei Baba tinobva tagutsikana.” Jesu akati kwaari, “Nhai Firipi, ko zvandagarazve nguva ndefu yakadai nemi, nanhasi wose haundizivi? Inga wani akaona ini akaona Baba. Zvino ungagoti seiko tiratidzei Baba? Haudaviri here kuti ndiri muna Baba uye kuti Baba vari mandiri. Zvandinotaura kwamuri hazvisi zvomusoro wangu asi kuti Baba vanogara mandiri ndivo vanenge vachiita mabasa avo. Nditendei kuti ini ndiri muna Baba uye kuti Baba vari mandiri kana kuti nditendei nokuda kwamabasa pachawo. “Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita uye achaita mabasa akatokura kupinda aya nokuti ndava kuenda kuna Baba. Chiri chose chamunokumbira muzita rangu ndichachiita kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana. Kana mukakumbira chii zvacho muzita rangu ini ndichachiita. “Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu. Iniwo ndichakumbira Baba, ivo vachakupai mumwe Murevereri achava nemi nokusingaperi. Ndiye uya Mweya wechokwadi iyeyo pasi pano hapagoni kumugamuchira nokuti hapamuoni kana kumuziva; imi munomuziva nokuti anogara nemi uye achava mamuri. “Handikusiyei muri nherera ndichauyazve kwamuri. Kwasara chinguvana chiduku, pasi hapazondiona. Asi imi muchandiona zvenyu pamusana pokuti ini ndiri mupenyu imiwo muchava vapenyu. Ipapo ndipo pamuchaziva kuti ini ndiri muna Baba vangu imi muri mandiri iniwo ndiri mamuri. Munhu ane mitemo yangu achiichengeta, ndiye munhu anondida; uyo anondida achadidawo naBaba vangu iniwo ndichazviratidza kwaari.” Judhasi, kwete Isikarioti, akati kwaari, “Tenzi nemhaka yei muchizviratidza kwatiri musingazviratidzi kunyika.” Jesu akamupindura achiti, “Kana munhu achindida anochengeta izwi rangu Baba vangu vachamuda tozobva touya kwaari toita musha wedu maari. Munhu asingandidi haachengeti mazwi angu, izwi ramuri kunzwa harisi rangu asi kuti nderaBaba vakandituma. “Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri ndichinemi. Asi Murevereri uya, Mweya Mutsvene achatumwa naBaba muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvose achikuyeuchidzai zvose zvandakataura kwamuri. Ndinokusiirai rugare, ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kunoita nyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye ngairege kutya. Mandinzwa ndichiti kwamuri ndiri kuenda, ndichauyazve kwamuri. Dai muchindida mungadai matofara kwazvo kuti ndiri kuenda kuna Baba nokuti Baba vakuru kwandiri. Zvino ndakutaurirai izvi zvisati zvaitika kuti kana zvoitika mutendhe. Handichataura nemi zvakawanda nokuti mutongi wapasi pano ari kuuya asi hapana chaanondiita. Asi ini ndinoita zvandakaudzwa naBaba kuti pasi pazive kuti ndinoda Baba. Chisimukai tiende.” “Ini ndini mugirepisi wechokwadi Baba vangu ndivo murimi. Bazi rimwe nerimwe risingabereki muchero vanoribvisa. Uye bazi rimwe nerimwe rinobereka muchero, vanoripemhena kuti ribereke muchero wakawanda. Imi makatonatswa nokupemhenwa nezwi randakakutaurirai. Garai mandiri neniwo ndichigara mamuri. Bazi zvarisingakwanisi kubereka muchero nokwaro roga risina kubatanidzwa nomugirepisi ndizvozvowo zvinemi hamukwanisi kubereka muchero kana musiri mandiri. Ini ndini mugirepisi imi ndimi mapazi acho. Anogara mandiri ndichagarawo maari iyeyo ndiye anobereka muchero wakawanda, nokuti musineni hapana chamunogona kuita. Kana munhu asingagari mandiri akaita sebazi rakadimburwa, rinouna. Mapazi akadai anounganidzwa okandwa mumoto opiswa. Mukaramba muri mandiri mazwi anguwo akaramba ari mamuri kumbirai zvenyu chamunenge muchida muchachiitirwa. Baba vangu vanorumbidzwa nezvizvi zvokuti mubereke michero yakawanda muchiratidza nazvo kuti muri vadzidzi vangu. Sokundida kwakaita Baba ndokukudaiwo kwandakaita. Rambai muri murudo rwangu. Kana mukachengeta mitemo yangu, mucharamba muri murudo neni sokuchengetawo kwandakaita mitemo yaBaba vangu ndinoramba ndiri murudo navo. Ndataura izvi kwamuri kuti rufaro rwangu ruve mamuri uyewo kuti rufaro rwenyu ruzare. “Uyu ndiwo mutemo wangu wokuti: Idanai sokukudai kwandakaita. Hakuna rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anofira shamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokuudzai. Handicharamba ndichikutii varanda nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake asi ndava kukutii shamwari nokuti ndakakuzivisai zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu. Hamuna kundisarudza, asi ini ndini ndakatokusarudzai ndikakupai basa rokuti muende mundobereka muchero uye kuti muchero wenyu uve unogara kuti chipi nechipi chamunokumbira Baba muzita rangu vakupei. Mutemo wandinokutemerai ndouyu wokuti, idanai. “Kana pasi pachikuvengai, zivai kuti pakandivengawo pasati pakuvengai imi. Dai muri vapasi pano, pasi pangadai pachitokudai savanhu vapo. Asi pamusana pokuti hamusi vapasi pano, uye nokuti ndakakutsaurai kubva pasi pano, ndokusaka pasi pachikuvengai. Rangarirai izwi randakutaurirai rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake. Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo. Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu. Zvose izvozvi vachazviita kwamuri pamusana pangu nokuti akandituma havamuzivi. Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chitadzo; asi mhosva yechitadzo ichocho hapana pavachainzvenge napo. Anondivenga anovengawo Baba vangu. Dai ndisina kumboita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nani nani zvake, vangadai vasina chitadzo. Asi zvino vakaaona vakabva vatovenga ini pamwechete naBaba vangu. Izvi zvinozadzisa zvakanyorwa mumutemo wavo zvokuti, ‘Vakandivenga ini ndisina mhosva.’ Asi Mubatsiri kana auya, wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba iyeyo Mweya Wechokwadi anobva muna Baba; iye achandipupurira. Kana imiwo muri zvapupu nokuti makanga muineni kubvira pakutanga.” “Ndataura zvose izvi kwamuri kuti murege kurasika. Vachakudzingai mumaSinagogu. Chokwadi, chokwadi nguva iri kuuya yokuti anokuurayai achafunga kuti ari kutoitira Mwari. Vachaita izvozvo nokuti havana kuziva Baba kana kuziva ini. Asi ndataura izvi kwamuri kuti kana nguva yazvo yosvika, muyeuke kuti ndakambokutaurirai nezvazvo. “Handina kunge ndichikutaurirai zvinhu izvi pakutanga nokuti ndanga ndiinemi. Asi zvino ndavakuenda kuna akandituma. Hapana mumwe wenyu ari kumbondibvunza kuti ko muri kuenda kupi? Asi pamusana pokuti ndataura izvi kwamuri masuruvara mwoyo zvikuru. Zvakadaro zvazvo, ndinokuudzai chokwadi, chokuti zvinotokubatsirai kuti ndiende nokuti ndikarega kuenda, Murevereri uya haazouya; asi ndikaenda ndichamutumira kwamuri. Paanouya achazivisa nyika kuti ine mhosva yechitadzo uye kuti ine mhosva pamafungiro ayo nezvoururami uyewo kuti ine mhosva panezvokutonga. Panezve chitadzo, nokuti havadaviri mandiri. Pane zvoururami, nokuti ini ndava kutoenda kuna Baba uye hamuzoramba muchindiona. “Pane zvokutonga, nokuti mutongi wapasi pano ava kutotongwa. “Ndine zvizhinji zvandingade kukutaurirai asi parizvino hamungakwanisani nazvo. Kana Mweya wechokwadi auya achakutungamirirai muchokwadi chose, nokuti anenge asingatauri zvomusoro wake. Zvaanenge anzwa ndizvo zvaanotaura; achakutaurirai zvinhu zvichauya. Achandiwanisa mukurumbira achitora zvandinotaura achizvitaura kwamuri. Zvose zvaBaba ndezvangu, ndokusaka ndati achatora zvandinenge ndataura achikutaurirai. “Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni kozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.” Vamwe vadzidzi vakataurirana vachiti, “Ko chiiko chaanoti kwatiri kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni uye kozoita chimwe chinguvazve chiduku mozondiona nokuti ndiri kuenda kuna Baba?” Vakati, “Anoreveiko nezvaanoti, ‘Kwasara chinguva chiduku.’ Hatizive zvaanoreva.” Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza. Naizvozvo akati kwavari, “Muri kubvunzana zvandanga ndichireva here ndichiti, ‘Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni. Kwozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.’ Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri muchachema nokuungudza asi pasi pari mumafaro. Imi muchasuruvara asi kusuruvara kwenyu kuchasanduka kuchiva kufara. Kana munhukadzi ava kusununguka anorwadziwa, nokuti nguva yake inenge yasvika asi kana asununguka mwana, haazoyeuka kurwadziwa kuya norufaro rwokuti munyika maberekwa munhu. Saizvozvo imi muri kusuruvara zvino asi ndichakuonaizve. Ipapo mwoyo yenyu ichafara hapana anozokutorerai rufaro rwenyu. Panguva iyoyo hapana chamunozombondibvunza; idi chaizvo ndinoti kwamuri, kana mukakumbira chii zvacho kuna Baba muzita rangu vachakupai. Kusvikira pari zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu chikumbirai muchapiwa kuti rufaro rwenyu ruzare. “Ndanga ndichitaura izvi kwamuri namadimikira nguva iri kuuya yandinenge ndisingazotauri kwamuri namadimikira yandinenge ndokutaurirai zviri pachena nezvaBaba. Pazuva iroro muchakumbira muzita rangu; handiti kwamuri ndichakukumbirirai kuna Baba. Aiwa! Ivo Baba pachavo vanokudai nokuti imi makandida uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari. Ini ndakabva kuna Baba ndikauya pasi pano asi zvavapo ndezvokuti ndava kubva pasi ndichienda kuna Baba.” Vadzidzi vake vakati, “Hamuchionaka! Mavakutaura zviri pachena kwete namadimikira. Zvino tava kuziva kuti munoziva zvose uye kuti hamumiriri kuti munhu atange akubvunzai; nezvo tava kutenda kuti makabva kuna Mwari.” Jesu akavapindura achiti, “Zvino mava kutenda nhai? Nguva iri kuuya uye yatosvika pamuchati mwarara, mumwe nomumwe achienda kwake muchindisiya ndiri ndoga asi ndinenge ndisiri ndoga nokuti Baba vaneni. Ndakutaurirai izvi kuti muwane rugare mandiri. Pasi pano muchava namatambudziko asi tsungai mwoyo ndakakunda pasi.” Jesu paakapedza kutaura izvi akatarisa kudenga akati, “Baba nguva iya yazosvika. Chipai Mwanakomana mukurumbira kuti iyewo Mwanakomana akuwanisei mukurumbira nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. Uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuziva imi Mwari mumwechete wechokwadi naJesu Kristu wamakatuma. Ndakakuwanisai mukurumbira panyika nokupedza kwandakaita basa ramakandipa kuti ndiite. “Zvino Baba chindipaiwo mbiri mberi kwenyu mbiri iya yandaiva nayo ndiinemi pasi pasati pavapo. “Ndakakuzivisai kuvanhu vamakandipa panyika; vakanga vari venyu mukavapa kwandiri uye vakachengeta izwi renyu. Zvino vavakuziva kuti zvose zvamakandipa zvakabva kwamuri. Nokuti ndakavapa mazwi amakandipa uye vakaagamuchira, vakaziva kuti zvechokwadi ndakabva kwamuri uye vakadavira kuti ndimi makandituma. Ndiri kuvanamatira, handisi kunamatira pasi asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu. Zvose zvangu ndezvenyu uye zvenyu ndezvangu uyezve ndinowana mbiri mavari. Zvino handichisiri pasi pano asi ivo vari pasi pano ini ndavakuuya kwamuri. Baba vatsvene, vanhu vamakandipa vachengetei muzita renyu. Pandakanga ndiinavo vanhu vamakandipa ndakavachengeta muzita renyu. Ndakavachengetedza zvokuti hapana akarasika kusiya uya wekashambwa kokuraswa kuti Magwaro Matsvene azadzikiswe. Asi zvino ndavakuuya kwamuri ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri pasi pano kuti kufara kwangu kunyatsozara chaizvo mavari. Inini ndakavapa shoko renyu, pasi pakavavenga nokuti havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Handisi kunamatira kuti muvabvise pasi pano asi kuti muvadzivirire kune wakaipa uya. Havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Vaitei kuti vave vatsvene muchokwadi izwi renyu ichokwadi. Sokundituma kwamakaita pasi pano neniwo ndavakuvatuma kupasi pose. Nokuda kwavo ndinozvipira kuti ivo vazvipirewo kuchokwadi. “Handinamatire ava bedzi asi ndinonamatira avo vachatenda mandiri pamusana pezwi ravo. Kuti vose zvavo vave vamwechete sezvakangoita kuti imi Baba muri mandiri ini ndiri mamuri ivowo ngavave matiri kuti pasi padavire kuti imi ndimi makandituma. Mbiri yamakandipa ndakavapawo kuti vave vamwechete sesu tiri vamwechete. Ini ndiri mavari imi muri mandiri vanyatsova vamwechete, kuti pasi pazive kuti imi ndimi makandituma mukavada sokundida kwamakaita. “Baba ndinodawo kuti avo vamakandipa vave kwandinenge ndiri vaonewo mbiri yangu yamakandipa pamusana porudo rwenyu kwandiri pasi pasati pavapo. Baba makarurama, pasi hapana kukuzivai asi ini ndakakuzivai uye ava vanoziva kuti makandituma. Ndakaita kuti vazive zita renyu uye ndichaita kuti rizivikanwe kuti rudo rwamakandida narwo ruvewo mavari uyewo kuti iniwo ndive mavari.” Jesu paakapedza kutaura izvi akabuda navadzidzi vake akayambukira kumhiri kwekakova Kedhironi kwaiva nebindu raakapinda navadzidzi vake. NaJudhasi, uya akazomumupandukira aizivawo nzvimbo iyoyo, nokuti Jesu aipota achiungana navadzidzi vake ikoko. Ipapo Judhasi akapiwa boka ramasoja namapurisa avaPristi vakuru navaFarisei. Akaenda nemwenje namazhenje nezvombo zvokurwa. Sezvo Jesu aiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari akauya kwavari akavati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” Vakamupindura vachiti, “Jesu weNazareti.” Jesu ndokuti kwavari, “Ndini, Judhasi, uya akamupandukira akanga amire pamwechete navo.” Paakati kwavari, “Ndini” vakabva vadzokera neshure vakawira pasi. Jesu akavabvunzazve akati, “Ndiani wamuri kutsvaka?” Ivo vakati, “Jesu weNazareti.” Jesu akavapindura achiti, “Inga wani ndakutaurirai kuti Ndini. Kana muri kutsvaka ini chiregai ava vaende zvavo.” Izvi zvaizadzisa zvaakanga ataura achiti, “Pane vamakandipa hapana wandakarasikirwa naye.” Zvino Simoni Pita akanga aine bakatwa akabva ariti wee muhara maraiva ndokutema nzeve yorudyi yomuranda womupristi mukuru akaidimura. Zita romuranda wacho rainzi Marikosi. Jesu akati kuna Pita, “Dzorera bakatwa rako muhara maro. Handifaniri here ini kunwa mukombe wenhamo wandakapiwa naBaba vangu?” Chikwata chamasoja chiya nomutungamiri wacho namapurisa avaJudha chakabata Jesu chikamusunga. Vakatanga vaenda naye kuna Anasi nokuti aiva tezvara waKaifasi akanga ari Mupristi mukuru gore iroro. Kaifasi ndiye uya akanga ambopa zano kuvaJudha rokuti zviri nani kuti munhu mumwechete afire vanhu. Simoni Pita akatevera Jesu nomumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu zvaaizivikanwa nomupristi mukuru akapinda muruvanze rwomupristi mukuru pamwechete naJesu. Izvozvo Pita akamira kunze pasuo guru. Naizvozvo mumwe mudzidzi uya aizivikanwa nomuPristi mukuru akabuda akandotaura nomusikana webasa aichengeta pasuo guru akapinza Pita mukati. Musikana uya webasa aichengetedza pasuo guru akati kuna Pita, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Pita akati, “Handisiri.” Ipapo varanda namapurisa vakanga vabatidza moto wamazimbe nokuti kwaitonhora. Ivo vakanga vamire vachidziya moto. Pitawo akanga anavo vakamira achidziya moto. Mupristi mukuru akabvunza Jesu nezvavadzidzi vake uye nezvedzidziso cyake. Jesu akamupindura achiti, “Inga ndaitaura pachena kupasi pose, ndaidzidzisa mumasinagogu nomuTemberi munounganwa navaJudha vose. Hapana chandakataura pachivande. Ko munobvunzirei ini. Dai matobvunza zvenyu vakandinzwa ndichitaura kwavari. Ivo vanoziva zvandaireva kwavari.” Paakataura izvi mumwe mupurisa akanga amire padyo, akarova Jesu nembama achiti, “Ndiko kupindura kwaungaite mupristi mukuru ikoko?” Jesu akamupindura achiti, “Kana pane chandatadza mukutaura kwandaita tiudze chandakanganisa. Ko kana ndataura zvakanaka wagondirovereiko?” Anasi akamuendesa akasungwa kuna Kaifasi mupristi mukuru. Zvino Simoni Pita akanga akamira achidziya moto. Vakamuti, “Hausi mumwe wavadzidzi vake here iwe?” Akaramba achiti, “Handisiri.” Mumwe wavaranda vomupristi mukuru, hama yomurume uya akachekwa nzeve naPita akamubvunzawo achiti, “Handina kukuona here iwe uinaye kubindu kuya?” Pita akarambazve; ipapo jongwe ndokubva rakukuridza. Vakazobvisa Jesu kumba kwaKaifasi vachienda naye kumuzinda womutongi wenyika. Aya aiva mangwananingwanani ivo pachavo havana kupinda mumuzinda imomo kuti varege kun'oreswa vachiitira kuti vawane madyiro ePasika. Naizvozvo Pirato akaenda kwavari akati, “Imhosvaiko yamunoti yakaparwa nomunhu uyu?” Vakamupindura vachiti, “Dai munhu uyu anga asina mhosva, tingadai tisina kumuturira kwamuri.” Pirato akavati, “Chimutoraika iyemi mundomutonga maererano nomutemo wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Isu hatibvumirwi kuuraya munhu.” Izvi zvaiva zvokuzadzisa zvakanga zvambotaurwa naJesu zvokuti aizofa norufu rwakaita sei? Pirato akapindazve mumuzinda akadaidza Jesu akati kwaari, “Iwe uri mambo wavaJudha here iwe?” Jesu akapindura achiti, “Izvi zviri kubva mupfungwa dzenyu here kana kuti matotaurirwa navamwe nezvangu?” Pirato akapindura achiti, “Ko ini ndiri muJudha here'ni? Rudzi rwako navaPristi vakuru ndivo vakuturira kwandiri. Chii chawakaita iwe?” Jesu akapindura achiti, “Umambo hwangu hausiri hwapasi pano. Dai umambo hwangu huri hwapasi pano, varanda vangu vangadai varwisa kuti ndirege kuiswa mumaoko avaJudha. Zvino umambo hwangu hausi hwapasi pano.” Pirato akati kwaari, “Heya uri mambo nhai?” Jesu akapindura achiti, “Inga matozvidudza wani kuti ndiri mambo ndizvo zvandakazvarirwa uye ndizvo zvandakavinga pasi pano kuti ndizopupurira chokwadi. Munhu wose ari pachokwadi anonzwa izwi rangu.” Pirato akabva amuti, “Chokwadi chii?” Paakapedza kutaura izvi akaendazve kuvaJudha akavataurira kuti, “Ini handioni mhosva yaanayo asi imi munetsika yokuti ndinofanira kukusunungurirai munhu mumwechete paPasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha?” Vakadaidzirazve vachiti, “Kwete munhu uyu asi Bharabhasi,” zvino Bharabhasi akanga ari gororo. Pirato akatora Jesu, akati arohwe zvakanyanya. Masoja akaruka chiremba cheminzwa akachiisa mumusoro make. Akamupfekedza gemenzi roruvara rwohute. Vaipota vachiuya kwaari vachimukwazisa vachiti, “Kwaziwaika Mambo wavaJudha!” Vachimurova nembama. Pirato akabudazve akati kwavari, “Chinzwai, ndavakumuburitsa kwamuri kuti muzive kuti ini ndashaya mhosva yaanayo.” Saizvozvo Jesu akabuda akapfeka chiremba cheminzwa negemenzi roruvara rwohute. Pirato ndokuti kwavari, “Chitarisai muone munhu uya.” Vapristi vakuru namapurisa pavakamuona vakabva vadaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa. Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati kwavari, “Chimutoraika iyemi mundomuroverera pamuchinjikwa nokuti ini ndashaya mhosva yaanayo.” VaJudha vakamupindura kuti, “Isu tine mutemo, maererano nomutemo iwoyo anofanira kuti afe nokuti akazviita Mwanakomana waMwari.” Pirato paakanzwa mazwi aya akabva anyanya kutya. Akapindazve mumuzinda akati kuna Jesu, “Iwe unobva kupi iwe.” Asi Jesu haana kupindura. Naizvozvo Pirato akati kwaari, “Hausikuda kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura nesimba rokukuroverera pamuchinjikwa?” Jesu akamupindura achiti, “Hamungavi nesimba pandiri kana musina kutoripiwa richibva kumusoro. Nezvo anditurira kwamuri anechitadzo chikuru kupfuura imi.” Nezvizvi Pirato akatsvaka nzira yokumusunungura nayo. Asi vaJudha vakadaidzira vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaSiza, nokuti munhu wose anozviita mambo ari kupandukira Siza.” Pirato paakanzwa mazwi aya akaburitsa Jesu panze iye ndokugara pachigaro chokutongera panzvimbo inonzi, “Chirongwanamafendefa.” Kana kuti, “Gabhata.” NechiHebheru. Zvino iri rakanga riri zuva rokugadzirira Pasika yakanga yenge awa yegumi nechipiri masikati. Akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.” Vakadaidzira vachiti, “Ngaapfuudzwe, ngaapfuudzwe ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akavati, “Ko ndoroverera mambo wenyu pamuchinjikwa here?” Vapristi vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mumwe mambo isu asi Siza oga.” Ipapo Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe pamuchinjikwa. Saizvozvo vakatora Jesu akabuda akaenda akatakura muchinjikwa wake kunzvimbo inonzi, “Dehenya,” kana kuti, “Gorogota.” MuchiHebheru. Ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa ipapo aina vamwe vaviri vachiti mumwe uku mumwe uku iye ari pakati. Pirato akanyorawo chiga chemhosva yake akachiisa pamuchinjikwa, chakanga chichiti, “JESU WENAZARETI MAMBO WAVAJUDHA.” VaJudha vazhinji vakaverenga chiga chemhosva ichocho nokuti nzvimbo yapakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chakanga chakanyorwa muchiHebheru, nomuchiRatini nomuchiGiriki. Saka vapristi vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Regai kunyora muchiti mambo wavaJudha asi kuti iye ndiye akati ndiri mambo wavaJudha.” Pirato akapindura achiti, “Chandanyora ndanyora.” Masoja paakaroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora hanzu dzake ndokudzikamura mumigove mina, musoja mumwe nomumwe mugove wake. Ndokusara hanzu yomukati. Hanzu iyoyo yakanga isina musono. Yakanga yakarukwa kubva kumusoro kusvika pasi. Nezvo vakataurirana vachiti, “Ngatiregei kuibvarura asi ngatiitirei chin'ange tione kuti ichava yaani.” Izvi zvakaitika kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “Vakagovana hanzu dzangu pakati pavo; zvipfeko zvangu vakazviitira chin'ange.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa namasoja. Izvozvo pedyo nomuchinjikwa waJesu Pakanga pamire amai vake nomunun'una waamai vake Maria mudzimai waKiropasi naMaria Magadharena. Jesu paakaona amai vake nomudzidzi wake wapamwoyo akamira pedyo, akati kuna amai vake, “Amai mwana wenyu uyu” Ndokuti kumudzidzi wake, “Amai vako ava.” Kubvira ipapo mudzidzi uya akavatora akavaisa mumusha make. Mushure maizvozvi Jesu paakaona kuti zvose zvazadziswa uye kuti Magwaro Matsvene azadziswe akati, “Ndine nyota.” Ipapo pakanga paine mudziyo uzere waini inovava. Naizvozvo vakaisa chifovefove chizere waini inovava iya pamushenjere vakachiisa pamuromo pake. Jesu paakasveta waini iya inovava akati, “Zvapera.” Akakotamisa musoro ndokubva afa. Zvarakanga riri zuva rokugadzirira Pasika vaJudha vakakumbira Pirato kuti makumbo avo atyorwe uye kuti zvitunha zvibviswe kuti zvitunha zvirege kunge zviri pamuchinjikwa pamusi weSabata nokuti Sabata iroro rakanga riri Sabata guru. Saizvozvo masoja akaenda akatyora makumbo owokutanga neewechipiri weavo vakanga varovererwa pamwechete naye. Asi pavakauya kuna Jesu, vakaona kuti atofa havana kumutyora makumbo. Mumwe musoja akamubaya parutivi pake nepfumo, pakabva pabuda ropa nemvura. Uyo akazviona nameso anopupura; uchapupu hwake ndehwechokwadi. Uye anoziva kuti anotaura chokwadi kuti nemiwo mutendhe nokuti zvinhu izvi zvakaitika kuti chinyorwa chitsvene chizadziswe chinoti, “Hapana bvupa rake richatyorwa.” Uyezve chimwe chinoti, “Vachatarisa uyo wavakabaya.” Mushure maizvozvi Josefi wokuArimatia, mudzidzi waJesu womuchivande pamusana pokutya vaJudha, akakumbira Pirato kuti iye aturure chitunha chaJesu. Pirato akamubvumira. Saizvozvo akauya akaturura mutumbi wake. Nikodhimasi uya akambouya kwaari nousiku akauyawo namafuta anonhuwira emura negavakava zvairema makirogiramu anenge makumi matatu ane mana. Vakatora chitunha chaJesu vakachiputira namachira erineni namafuta aya anonhuwirira vachitevedza tsika yechiJudha yokuviga vanhu. Panzvimbo yaakarovererwa pakanga paine bindu. Mubindu imomo maiva neguva idzva makanga musati mambovigwa munhu. Naizvozvo, zvaraiva zuva ravaJudha rokugadzirira Pasika uye guva iroro zvaraiva riri padyo kudaro vakaradzika Jesu imomo. Pazuva rokutanga revhiki Maria Magadharena akafumouya kuguva kuchakasviba. Akaona kuti dombo rakanga rabviswa paguva. Ipapo akamhanyira kuna Pita nomumwe mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kwavari, “Vabvisa Tenzi muguva zvino hatizivi kwavamuisa.” Pita akabuda pamwechete nomumwe mudzidzi uya vakaenda kuguva kuya. Vakamhanya vose. Mumwe mudzidzi uya akamhanya zvokusiya Pita akandotanga kusvika kuguva. Asi akakotama achidongorera akaona machira erineni ari pakadaro asi iye haana kupindamo. Simoni Pita akazouyawo achimutevera akapinda muguva. Akaonawo machira aya ari pakadaro apo. Nejira duku raiva kumusoro wake rakanga risiri pano mamwe machira asi rakanga rakapetwa riri paro roga. Mumwe mudzidzi uya akatanga kusvika paguva, akapindawo akaona akatenda. Kusvikira ipapo vakanga vasati vanzwisisa Magwaro Matsvene anoti, “Anofanira kumuka kuvakafa.” Vadzidzi vakadzokera kumisha yavo. Asi Maria akamira kunze pedyo neguva achichema. Paaichema kudaro akakotama achitarisa muguva. Akaona vatumwa vaviri vakapfeka zvichena vakagara pakanga pakaradzikwa Jesu. Mumwe ari kumusoro mumwe ari kumakumbo, vakamuti, “Nhai, mudzimai iwe uri kuchemeiko?” Iye akavati, “Nokuti vatora Tenzi wangu uye handizivi kwavamuisa.” Achingoti taurei izvi akatendeuka ndokuona Jesu akamira asi haana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwaari, “Mudzimai iwe uri kuchemeiko, uri kutsvaga ani?” Zvaakafunga kuti murimi akati kwaari, “Changamire, kana murimi mamubvisa nditaurirei kwamandomuradzika ndindomutora.” Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akabva atendeuka akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni” zvinoreva kuti, “Mudzidzisi.” Jesu akati kwaari, “Usandibate nokuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undoti kwavari ndiri kuenda kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.” Maria Magadharena akaenda kuvadzidzi akavaparidza kuti, “Ndaona Tenzi uye ataura izvi kwandiri.” Manheru ezuva rakarero, zuva rokutanga revhiki Jesu akauya mumba maiva navadzidzi; izvozvo makonhi amavakanga vari akanga akaiswa zvihuri pamusana pokutya vaJudha. Akasvikomira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.” Paakataura izvi akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakabva vafara pavakaona Tenzi. Jesu akavatizve, “Rugare ngaruve nemi! Sokundituma kwakaita Baba neni ndinokutumaiwo saizvozvo.” Paakapedza kutaura izvi, akafemera pavari akati kwavari, “Gamuchirai Mweya Mutsvene. Kana mukaregerera vanhu zvitadzo zvavo, zvinobva zvaregererwa. Kana mukaramba kuvaregerera havaregererwi.” Tomasi mumwe wavanegumi navaviri ainzi Mapatya, akanga asinavo pakauya Jesu. Ipapo vamwe vadzidzi vakamutaurira kuti, “Taona Tenzi.” Asi iye akavati, “Kana ndisina kutoona mavanga ezvipikiri mumaoko ake ndikapinza munwe wangu mumavanga iwayo ndikapinzawo chanza changu parutivi pake handitendi.” Mushure memazuva masere vadzidzi vake vakanga vari mumba muyazve uye Tomasi akanga ainavo. Makonhi akanga akapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.” Akabva ati kuna Tomasi, “Uya upinze munwe wako umu uone maoko angu. Tambanudza ruoko rwako upinze parutivi pangu. Usave munhu asingatendi asi anotenda.” Tomasi akamupindura achiti, “Ndimi Tenzi wangu naMwari wangu.” Jesu akati kwaari, “Watenda nokuti wandiona nhai? Vakakomborerwa zvavo vanotenda ivo vasina kundiona.” Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji vadzidzi vake vachiona zvisina kunyorwa mubhuku rino iri. Izvi zvakanyorwa kuti mudavire kuti Jesu ndiye Mesia Mwanakomana waMwari uyewo kuti nokutenda ikoko muve noupenyu muzita rake. Shure kwaizvozvi Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake kuGungwa reTibheriasi. Akazviratidza sezvizvi. Simoni Pita naTomasi anonzi Mapatya naNatanieri wokuKana yokuGarirea navana vaZebhedia navamwe vadzidzi vake vaviri vakanga vari pamwechete. Simoni Pita akati kwavari, “Ndavakuenda kundobata hove.” Ivowo vakati kwaari, “Handei pamwechete.” Vakabuda vakapinda mugwa asi usiku ihwohwo hapana chavakabata. Mambakwedza Jesu akamira pamahombekombe asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwavari, “Nhai varume, pane chamabata chokusevesa here?” Vakamupindura vachiti, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai usvasvi hwenyu kurudyi rweigwa munodzibata.” Saizvozvo vakahukanda vakabva vavakutadza kuhukakata nokuwanda kwehove. Mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kuna Pita, “NdiTenzi wani avo.” Simoni Pita paakazvinzwa kuti ndiTenzi, akapfeka hanzu yake yapamusoro ndokungozvimoneredza nokuti akanga asina chaakapfeka ndokusvetukira mugungwa. Asi vamwe vadzidzi vaya vakauya vari mugwa vachikakata usvasvi huzere hove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe; vakanga vari chinhambwe chinenge mamita makumi mapfumbamwe. Pavakasvika pamahombekombe vakaona moto wamazimbe nehove iri pamusoro pawo nechingwa. Jesu akati, “Uyai nedzimwe hove dzamabata.” Naizvozvo Simoni Pita akadzokerazve mugwa akakwevera usvasvi kumahombekombe hwakanga huzere hove huru dzaiva zana namakumi mashanu nenhatu. Kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda kudaro usvasvi hauna kubvaruka. Jesu akavati, “Chiuyai mudye.” Hapana akamboti regai ndimubvunze kuti ndimi ani. Vaitozviziva kuti ndiTenzi. Jesu akauya akatora chingwa ndokuchipa kwavari uye akaita zvimwechetezvo nehove. Aka, kakanga kava kechitatu Jesu achizvionesa kuvadzidzi vake mushure mokunge amutswa muvafi. Pavakapedza kudya kwamangwanani Jesu akati kuna Simoni Pita, “Nhai Simoni mwana waJohani unondida here kupfuura ava?” Iye akati kwaari, “Hongu Tenzi munoziva wani kuti ndinokudai.” Jesu ndokuti, “Fudza hwayana dzangu.” Akamutizve rwechipiri Simoni mwana waJohani, “Unondida here?” Akamuti, “Hongu Tenzi munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.” Akati kwaari kechitatu, “Simoni mwana waJohani unondida here?” Pita zvikati zvamurwadza nokuti akamuti rwechitatu, “Unondida here?” Pita akati kwaari, “Tenzi inga munoziva zvose wani, munoziva imi kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.” Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwauri, “Pawakanga uchiri mudiki waipfeka uchienda kwaunoda asi kana wachembera uchatambanudza maoko ako mumwe achikusunga achienda newe kwausingadi.” (Izvi akazvitaura kuratidza rufu rwaaizorumbidza narwo Mwari). Mushure mezvo akati kwaari, “Nditevere.” Pita akatendeuka akaona mudzidzi waJesu wapamwoyo achitevera uya akanga akazembera pachipfuva chake pachirariro, uya uya akati kuna Jesu, “Tenzi ndiani ari kuzokupandukira?” Pita paakamuona akati kuna Jesu, “Nhai Tenzi, ko uyuwo uyu?” Jesu akati kwaari, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka zvinei newe. Chako iwe kunditevera.” Pakabva pava norunyerekupe munevehama rwokuti mudzidzi iyeyu akanga asingazofa, asi Jesu akanga asina kuti haasi kuzofa asi akanga angoti, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka, zvinei newe?” Iyeyu ndiye mudzidzi ari kupupura zvinhu izvi uye ndiye akanyora zvinhu izvi uyewo tinoziva kuti uchapupu hwake ndehwechokwadi. Asi pane zvimwewo zvinhu zvizhinji zvakaitwa naJesu. Dai kuri kuti zvainyorwa zvose chimwe nechimwe; ndinofunga kuti nyika yaitopata namabhuku acho aigona kunyorwa. Teofiro, mubhuku rangu rokutanga, ndakanyora nezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu kusvikira pazuva raakakwidzwa kudenga. Ipapo, maiva mushure mokunge ataurira, nokuna Mweya Mutsvene, vapositori vaakanga asarudza, zvinofanira kuitwa. Mushure mokutambudzika kwake akazviratidza kwavari kuti mupenyu nezvinhu zvakawanda zvinoita kuti munhu abvume kuti ichokwadi sezvizvi zvinoti: kuzviratidza kwavari kwamazuva makumi mana uye kutaura nezvoumambo hwaMwari. Paakanga achinavo, akavati vasabve muJerusaremu asi kuti vamirire chitsidzo chaBaba chiya chavakanzwa achiti, “Makandinzwa ndichiti, Johani akaombeka nemvura asi kusati kwapera mazuva mazhinji muchaombekwa naMweya Mutsvene.” Saizvozvo pavakanga vaungana vakamubvunza vachiti, “Tenzi, panguva ino ndipo here pamuchadzosera pakare umambo kuIsiraeri?” Iye akati, “Hazvisi zvenyu kuziva misi nenguva dzakatemwa naBaba nesimba ravo. Asi imi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamuri uye muchava zvapupu zvangu muJerusaremu nomuJudhea yose nokuSamaria kusvika kwakaperera nyika?” Paakapedza kutaura izvi akasimudzwa vakatarisa kudaro, gore richimukwidza kudenga rikaita kuti asaonekwe kwavari. Vachiri kunan'anidza kudenga, paaienda; havo varume vaviri vakamira pavari vakapfeka magemenzi machena. Vakati, “Ko imi vanhu veGarirea makamirirei makatarira kudenga? Jesu iyeyu atorwa pamuri achienda kudenga achauya nenzira imwecheteyo sokumuona kwamaita achienda kudenga.” Vakazodzokera kuJerusaremu vachibva kugomo rinonzi Orivheti riri pedyo neJerusaremu, chinhambwe cherwendo rwunobvumirwa pamusi weSabata. Pavakapinda vakaenda kuimba yapamusoro mavaigara. Paiti Pita naJohani kouya Jemusi naAndireya kwoti Firipi naTomasi kwozoti Bhatoromeo naMateu kwozotiwo Jemusi mwana waArifeosi uyewo Simoni Muziroti naJudhasi mwana waJemusi. Vose ivava vakazvipira pakunamata pamwechete namadzimai naMaria amai vaJesu navakoma navanun'una vake. Pamazuva iwayo Pita akasimuka pakati pevehama akataura. Gungano iroro raiva zana namakumi maviri avanhu. Akati, “Hama, Magwaro Matsvene aifanira kuzadziswa akafanotaurwa naMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi nezvaJudhasi aiva mutungamiri waavo vakandosunga Jesu. Akanga ari mumwe wedu akapiwa mugove wake mubasa iri.” Zvino murume uyu akatenga munda nomubayiro wouipi hwake. Akaputsika akasvikorovera pasi nouso. Vamwe vanoti akazvimba ndokubva aputika napakati ura hwose hukavhazhuka zvikazivikanwa navagari vose vomuJerusaremu. Munda iwoyo wakazodaidzwa kuti Hakeridhama mumutauro wavo zvichireva kuti munda weropa nokuti zvakanyorwa mubhuku reNziyo kuti, “Musha wake ngauve dongo usawane anogaramo. Basa rake routariri ngaritorwe nomumwe.” Saizvozvo mumwe wavarume vaiva nesu nguva yose, Tenzi Jesu paakanga achiri nesu kutangira paruombeko rwaJohani kusvika pazuva raakatorwa akakwidzwa kudenga, mumwe wavarume ivava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake. Naizvozvo vakaisapo vaviri vaiti Josefi anonzi Bhasabhasi ainziwo Jusitusi naMatiasi. Vakanamata vachiti, “Tenzi, muzivi wemwoyo yavanhu vose, tiratidzei pavaviri ava kuti ndiani wamunosarudza kuti atore nzvimbo yapabasa iri noupositori uhu hwakasiiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yake.” Vakavaitira chin'ange, chikabata pana Matiasi ndokubva ava mumwe wavapositori vaya gumi nomumwechete. Zuva rePendekositi parakasvika, vakanga vari panzvimbo imwechete. Pakarepo kwakava nokutinhira kuchibva kudenga kuchinge kuvhuvhuta kwemhepo inesimba kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona marimi anenge omoto akapararana achindogara pano mumwe nomumwe wavo. Vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakabva vatangisa kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa naMweya kuti vataure. Izvozvo muJerusaremu makanga muina vaJudha, vanhu vakanga vakazvipira pakunamata, vakanga vauya kuzombogaramo vaibva kumarudzi ose avanhu enyika dzose dziri pasi pedenga. Nokunzwa kutinhira uku, mhomho yavanhu yakaungana vakashamiswa nokuti mumwe nomumwe akanzwa vachitaura norurimi rwake. Vakakatyamara vakashamiswa vachiti, “Vose vari kutaura ava havasi vokuGarirea here? Zviri kuitika sei kuti mumwe nomumwe wedu ari kuvanzwa vachitaura norurimi rwake? Panoti vaPatia navaMidhia koti vaEramu navagari vokuMesopatamia nokuJudhea novokuKapadhosia kozoti vokuPondusi neAsia kouyawo vokuFirigia novokuPamufiria kozotiwo vokuIjipiti novokune dzimwe nzvimbo dzeRibhia pedyo neKurini. Kune vaenzi vanobva kuRoma vechiJudha navakapindukira kuchiJudha. Kune vokuKiriti nevokuArabhia. Tiri kuvanzwa vachitaura mundimi dzedu mabasa makuru aMwari.” Vose vakakatyamara vakakangaidzwa vachitaurirana vachiti, “Ko zvinoreveiko izvi?” Asi vamwe, vachishora, vakati, “Vaguta waini itsva.” Asi Pita, amire navane gumi nomumwechete vaya, akadaidzira akataura zviri pachena achiti, “Imi varume veJudhea nemi mose mugere muJerusaremu, izvi ngazvizivikanwe kwamuri mumbopawo nzeve kumashoko angu nokuti vanhu ava havana kudhakwa sezvamuri kufunga nokuti ruchiri rudziyakamwe. Asi izvi ndizvo zvakataurwa nomuporofita Joeri achiti, “ ‘Mumazuva okupedzisira, ndizvo zviri kutaura Mwari, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita. Vechidiki venyu vachaona zviratidzo, vakwegura venyu vacharotswa hope. Kunyange pavaranda vangu vechirume navaranda vangu vechikadzi, mumazuva iwayo ndichadururira Mweya wangu ivo vachaporofita. Ndichaita zviratidzo mumatenga'mu nezviratidzo panyika pasi pano, zveropa nemoto nebwititi routsi. Zuva richasandurwa kuva rima, mwedzi ugoita ropa; zuva guru raTenzi risati rasvika, zuva guru, zuva risingaitiki. Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTenzi achaponeswa.’ “Varume, vaIsiraeri teererai mazwi aya anoti Jesu wokuNazareti, munhu akapupurirwa kwamuri naMwari namabasa makuru nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa pakati penyu naMwari nemaari sokuziva kwenyu, Jesu iyeyo, wamakaturirwa maererano nourongwa hwakanyatsoti tsvikiti uye nokufanoziva kwaMwari, imi makamuroverera pamuchinjikwa mukamuuraya muchishandisa vanhu vasina mutemo. Asi Mwari akamumutsa amusunungura marwadzo orufu nokuti zvakanga zvisingagoneki kuti arambe akasungwa narwo. Chikonzero ndechokuti Dhavhidhi achitaura nezvake anoti: “Ndaiona Mwari ari pamberi pangu nguva dzose nokuti ari kurudyi kwangu kuti ndirege kuzunguzwa. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu rwakapembera kufara uyezve muviri wangu uchagara uine chitarisiro. Nokuti hamungasii mweya wangu munzvimbo yavafi kana kurega mururami wenyu achiora. Makandizivisa nzira youpenyu muchandizadza norufaro nokuvapo kwenyu.” “Hama, regai ndikutaurirei zviri pachena nezvaTateguru wedu Dhavhidhi kuti akafa akavigwa uye guva rake tinaro nanhasi uno. Nezvo somuporofita, uye zvaaiziva kuti Mwari akapika nechitsidzo kwaari kuti achaisa mumwe wechizvarwa chake pachigaro chake choumambo, akafanoona akataura nezvokumuka kwaMesia achiti, “Haana kusiiwa munzvimbo yavafi uye muviri wake hauna kuora. “Mwari akamutsa iye Jesu iyeyo, isu tose tiri zvapupu zvaizvozvo. Asumudzirwa kurudyi rwaMwari uye agamuchira kubva kuna Baba chitsidzo chaMweya Mutsvene, adururira zvamurikuona nokunzwa izvi. Chiripo ndechokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga asi iye pachake anototi: “Tenzi akati kuna Tenzi wangu, ‘Gara kurudyi kwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitambarariko chetsoka dzako.’ “Naizvozvo imba yose yaIsiraeri ngainyotsoziva kuti Mwari akamuita kuti ave Tenzi naMesia, iye Jesu uyu wamakaroverera pamuchinjikwa.” Zvino pavakanzwa izvi vakabaiwa mwoyo vakati kuna Pita nokuna vamwe vapositori: “Hama, ko zvino toiteiko?” Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene. Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.” Akapupura namamwe mazwi akawanda achivakurudzira achiti, “Zviponesei kuchizvarwa ichi chakakombama.” Saizvozvo avo vakagamuchira shoko rake vakaombekwa vakabva vawanziridzwa musi iwoyo navanhu vanosvika zviuru zvitatu. Vakaramba vangoti kwati kwati nezvaidzidziswa navapositori uye vakaramba vakabatana navo nomukumedura chingwa nomukunamata. Vose vakawirwa nokutya uye zvishamiso nezviratidzo zvizhinji zvakaitwa nomuvapositori. Vose vaitenda vaigara pamwechete, zvinhu zvavo zviri zvavo vose. Vaitengesa zvavaiva nazvo nezvinhu zvavo vachizvigovera vose, munhu achipiwa zvaainge asina. Zuva nezuva, nomwoyo mumwechete vaienda pamwechete kuTemberi vachimedura chingwa mudzimba dzavo. Vaidya chokudya nomwoyo unofara nemwoyo unopa vachirumbidza Mwari vachidiwa navanhu vose. Tenzi vaiwanziridza uwandu hwavo zuva nezuva hwaavo vainge vachiponeswa. Rimwe zuva Pita naJohani vaienda kuTemberi panguva dzokunamata paawa yechitatu masikati. Mumwe murume akanga akaremara kubvira pakuberekwa kwake aitakurwa zuva nezuva achindorariswa pasuo guru rainzi Suorakanaka kuti akumbire rubatsiro kuvanhu vaipinda muTemberi, paakaona Pita naJohani vava kuda kupinda muTemberi, akavakumbira rubatsiro. Pita aina Johani akanyatsomutarisisa akati, “Titarise,” iye ndokuvanan'anidza achitarisira kugamuchira chimwe chinhu kwavari. Asi Pita akati, “Sirivha kana ndarama handina, asi ndinokupa chandinacho. Muzita raJesu Kristu weNazareti, ‘Chifamba.’ ” Ndokubva amubata ruoko rworudyi achimusimudza. Pakarepo tsoka dzake nezviziso zvadzo zvakabva zvasimba. Akakwakuka akamira akafamba akapinda muTemberi pamwechete navo achiti pamwe fambei pamwe osvetuka svetuka achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakamuona achifamba achirumbidza Mwari vakamuziva kuti ndiye uya aigaririra rubatsiro paSuorakanaka reTemberi. Vakakatyamadzwa vakanana kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari. Paakaramba angoti name name naPita naJohani vanhu vose vakati wiri wiri kwavari muberere rinonzi Berere raSoromoni vachishamiswa. Pita paakazviona akataura kuvanhu achiti, “Varume vaIsiraeri munoshamisika sei nezvizvi? Munotinan'anidza sei sokunge isu ndisu taita kuti afambe nesimba nounamati wedu? Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho Mwari wamadzitateguru edu akarumbidza muranda wake Jesu wamakaturira mukamuramba panaPirato paakafunga zvokumusungunura. Asi imi makaramba mutsvene nomururami mukakumbira kuti mupiwe mhondi mukauraya muridzi weupenyu, iye akamutswa naMwari kuvafi. Isu tiri zvapupu zvaizvozvo. Munhu uyu wamunoona nokuziva asimbaradzwa pamusana pechitendero chake muzita raJesu. Izita raJesu nechitendero chinobva maari chamupa utano uzere sokuonawo kwamuri kuita mose. “Zvino hama dzangu, ndinoziva kuti makazviita mukusaziva sezvakangoitawo vatongi venyu. Asi Mwari zvaakafanotaura nemiromo yavaporofita vose kuti Mesia wake anofanira kutambudzika. Izvi akazvizadzisa nenzira iyoyi. Nezvo pindukai mutendeuke kuti zvitadzo zvenyu zvipfudzwe kuti nguva iya yokumbofefeterwa nokuvapo kwaTenzi, uye kuti atumire Mesia wamakasarudzirwa, iye Jesu, anofanira kumbochengetedzwa kudenga kusvikira zvinhu zvose zvaitika zvakataurwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene vakare. Mosesi akanyatsotaurawo achiti, ‘Tenzi Mwari achakumutsirai muporofita mukati mehama dzenyu sokumutsa kwaakandiita. Munofanira kumuteerera muna zvose zvaanokutaurirai. Ani naani asingateereri muporofita iyeyo achaparadzwa achibviswa mukati mavanhu. Vaporofita vose vakataura kubvira kuna Samueri navamwe vakazotevera vakaparidza nezvamazuva iwaya. Ndimi vana vavaporofita vacho vanorehwa uye vechitenderano chaakaitwa naMwari namadzibaba enyu achiti kuna Abhurahamu, nokumwana wako mhuri dzose dzapasi pose dzichakomborerwa.’ Mwari paakamutsa muranda wake akamutumira pokutanga kwamuri kuti akukomborerei nokukutendeutsai mose kubva kuuipi hwenyu.” Pavaitaura kuvanhu vapristi nomukuru mukuru wapaTemberi navaSadhusei vakauya pavari. Vakanga vatsamwiswa nokuti mukudzidzisa nokuparidza zvaJesu vaidzidzisa vanhu vachivaparidza zvokumuka kwavakafa. Vakavabata vakavaisa mujeri kusvikira mangwana acho nokuti akanga atova mauro. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda. Huwandu hwavarume hwaiita zviuru zvinenge zvishanu. Ava mangwana acho vatongi vavo navakuru vakuru navanyori vakanga vakaungana muJerusaremu naAnasi, mupristi mukuru naKaifasi naJohani naArekizanda navose vokumba yomupristi mukuru. Pavakavaisa pakati vakavabvunza kuti makaita izvi nesimba raani uye nezita raani. Zvino Pita, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vatongi vavanhu navakuru vakuru kana tiri kugadzirwa dare nhasi uno basa rakanaka rakaitwa kumhetamakumbo iyi kuti munhu uyu akarapwa sei, ngazvizivikanwe kwamuri mose uye kuvanhu vose veIsiraeri kuti nezita raJesu Kristu weNazareti wamakarovera pamuchinjikwa akamutswa naMwari kuvakafa pamusana pake munhu uyu amire pamberi penyu akasimba. Iri ndiro dombo rakarambwa nemi vavaki asi rava dombo guru rapakona. Hakuna mumwezve munhu anogona kuponesa nokuti hakuna rimwezve zita pasi pose rakatumidzwa munhu pakati pavanhu ratinofanira kuponeswa naro.” Pavakaona chivindi chaPita naJohani uye vachiona kuti vanhu vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakashamiswa. Vakazviona kuti vakambenge vaina Jesu. Asi zvavaiona munhu uya akanga aponeswa akamira padyo navo hapana chavakagona kutaura. Pavakavati vambobva mudare, vakakurukurirana vachiti, “Toita sei navanhu ava nokuti zvokuti chiratidzo chinonyatsoonekwa chaitwa nemavari zviri pachena kuna vagari vose vomuJerusaremu uye hatikwanisi kuzviramba. Asi kuti zvirege kupararira pakati pavanhu ngativayambirei kuti vasambotaurazve kuna ani nani zvake nezita irori.” Nezvo vakavadaidza vakavakomekedza kuti vasambotaura zvavo kana kudzidzisa zvako muzita raJesu. Asi Pita naJohani vakavapindura vachiti, “Chimbopafungaiwo zvenyu kuti zvingaite here, pamberi paMwari, kuteerera imi panokuteerera Mwari. Isu hatigoni kurega kutaura zvatakaona nezvatakanzwa.” Pavakawedzera kuvayambira vakavarega vachienda vashaya pokuvaranga napo pamusana pavanhu nokuti vanhu vose vairumbidza Mwari nezvakanga zvaitika. Chikonzero ndechokuti munhu akaitirwa chiratidzo ichi chokuponeswa akanga ava namakore anopfuura makumi mana. Pavakaregedzwa vakaenda kushamwari dzavo vakavarondedzera zvavakanga vataurirwa navapristi navakuru vakuru. Pavakazvinzwa vakadaidzira pamwechete kuna Mwari vachiti, “Tenzi imi makasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo imi naMweya Mutsvene mukati nomuromo watateguru wedu Dhavhidhi muranda wenyu, “ ‘Ko ivo vechirudzi vanoitireiko bopoto, marudzi avanhu vachiita bangano risina maturo. Madzimambo apasi pose vachinyatsorongana, vatongi vachitoitira Tenzi nomuzodzwa wake bangano.’ “Icho chiri chokwadiwo Herodhi naPontio Pirato nevechirudzi navaIsiraeri vakaungana muguta rino vachirwisa muranda wenyu Mutsvene Jesu wamakazodza kuti zvamakafanoronga nesimba roruoko rwenyu nourongwa hwenyu zviitike. Zvino, Tenzi chitarisai kutyisidzira kwavo, mupe kuti varanda venyu vataure shoko renyu nechivindi chaicho imi makasimudza ruoko rwenyu kuti rurape uye muitewo kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita romuranda wenyu mutsvene, Jesu.” Pavakapedza kunamata nzvimbo yavakanga vakaungana yakandengendeka vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakataura izwi raMwari nechivindi. Chikwata chevaitenda vaya vakanga vaine mwoyo mumwechete uye hapana aiti chake ndechake. Zvinhu zvavo zvaiva zvavo vose. Vapositori vakapupurira zvokumuka kwaTenzi Jesu nesimba guru, uye nyasha huru dzaiva pavari vose. Pakati pavo pakanga pasina ane chaaishaya nokuti avo vainge vaine minda kana dzimba dzavo vaizvitengesa vachiuya nemari yacho vachizoiisa mumaoko avapositori zvichizogoverwa kuvanhu maererano nezvaidiwa nomunhu. Saizvozvo Josefi akanga atumidzwa navapositori zita rokuti, Bhanabhasi (zvinoreva kuti, “Mukurudziri”) muRevhi, mugari wenyika yeSaipurasi akatengesa munda wake akauya nemari yacho akaiisa mumaoko avapositori. Asi mumwe murume anonzi Ananiya aiva nomudzimai wake ainzi Safira, akatengesa chimwe chikamu chezvinhu zvake. Akachengeta chimwe chikamu chemari yacho mudzimai wake achizviziva. Akauya nechimwe chikamu chemari iya akaiisa mumaoko avapositori. Asi Pita akati, “Nhai Ananiya wapindwa sei naSatani kudai kuti ureve nhema kuna Mweya Mutsvene uchizvichengetera chimwe chikamu chomutengo womunda? Pawakanga usati watengeswa wakanga usiri wako here uye pawakanga watengeswa mari yacho yakanga isiri mumaoko ako here? Ko zvaita seiko kuti ufunge kuita izvi mumwoyo mako? Hauna kurevera munhu nhema asi Mwari.” Ananiya paakanzwa mazwi aya akawira pasi akabva afa. Vanhu vose vakazvinzwa vakatya zvikuru. Vechidiki vakasimuka vakamuputira vakamutakura vakandomuviga. Mushure memaawa matatu mudzimai wake akauyamo asingazivi zvakanga zvaitika. Pita akati kwaari, “Ndiudze kuti makatengesa munda uyu nemari iyi here?” Mudzimai akati, “Hongu nemari iyoyo.” Pita ndokuti kwaari, “Ko matenderana sei kuedza Mweya waMwari? Teerera unzwe tsoka dzavanhu vaviga murume wako dzava pamusuo. Vachakutakura vachikuburitsa kunze.” Pakarepo akabva ati gwadara kuwira pasi achibva afa. Vechiduku vaya pavakapinda vakamuwana atofa. Vakamutakura vachimuburitsa kunze vakandomuviga pedyo nomurume wake. Sangano rose rakawirwa nokutya kukuru uye vose vakanzwa zvinhu izvi. Zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakaitwa mukati mavanhu namaoko avapositori. Vaisanganira vose muBerere raSoromoni. Vamwe vanhu vose vaitya kubatana navo asi vanhu vaivaremekedza zvikuru. Asi vatendi vairamba vachingowedzerwa kuna Tenzi, varume navakadzi vazhinji zvokuti vamwe vaitotakura varwere vachivaisa mumigwagwa vachivaradzika pamibhedha napahukwe kuti Pita paainge opfuura nepo kana mumvuri wake chaiwo ungopfuura napana vamwe vavo. Vanhu vakaunganawo vachibva mumaguta akapoteredza Jerusaremu vachiuya navarwere vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa. Vose vakaporeswa. Asi mupristi mukuru akamuka navose vechikwata chake vebato revaSadhusei. Pamusana pokuzara neshanje vakasunga vapositori vakavaisa muJeri ravanhu vose. Asi usiku mutumwa waMwari akazarura makonhi ejeri akavaburitsa ndokuvati, “Endai mundomira muTemberi mutaure kuvanhu mazwi ezveUpenyu uhwu.” Vakateerera zvavakataurirwa izvi vakandopinda muTemberi mangwanani vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru akauya nevaaiva navo ndokuunganidza dare namakurukota ose avaIsiraeri. Vakatuma vanhu kuJeri kundovatora. Asi mapurisa pavakasvika, havana kuvawana muJeri. Vakadzokera vakavataurira vakati, “Tasvikowana Jeri rakanyatsokiiwa. Vachengeti vapaJeri vakamira pamisuo asi patarizarura hapana watawana mukati.” Zvino mukuru wapaTemberi navapristi vakuru pavakanzwa mashoko aya zvakavakangaidza vachishama kuti zvichaperera kupi. Mumwe munhu akauya akavataurira achiti, “Varume vamakaisa mujeri, vamire muTemberi vari kudzidzisa vanhu.” Ipapo mukuru wapaTemberi namapurisa vakaenda vakandovatora pasina muchokoto nokuti vaitya kutemwa namatombo navanhu. Pavakauya navo vakavamisa pamberi pedare, mupristi mukuru akavabvunza achiti, “Takanyatsokuyambirai kuti musadzidzise nezita iri asi imi matozadza Jerusaremu nechidzidziso chenyu uye munoda kuti ropa romunhu uyu ritipfukire.” Asi Pita navapositori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari panokuteerera vanhu. Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu wamakauraya nokumurembedza pamuti. Mwari akamusimudzira kurudyi rwake somutungamiri nomununuri kuti Isiraeri ipinduke iregererwe zvitadzo. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi uyewo Mweya Mutsvene akapiwa naMwari kuna vanomuteerera.” Pavakanzwa izvi vakashatirwa zvikuru kwazvo vakafunga zvokuvauraya. Asi mumwe muFarisei, nhengo yedare ainzi Gamarieri, mudzidzisi womutemo airemekedzwa navanhu vose, akasimuka akati ngavamboburitswa panze. Ndopaakavati, “Vanhu veIsiraeri chenjerai nezvamunoita navanhu ava. Tisati tasvika pane zvanhasi izvi, kwakamuka Tudhasi achizviti ndini pano; chitsama chavarume vanosvika mazana mana chakamutevera asi akauraiwa. Vose vaimutevera vakabva vapararira zvikava chinhu pasina. Mushure make makamuka Judhasi wokuGarirea pamazuva okuverengwa kwavanhu. Akakokorodza vamwe vanhu vakamutevera. Naiyewo akaparara. Vose vaimutevera vakaita rumwe rumwe. Pane zvanhasi izvi, ndinoti kwamuri, siyanai navanhu ava, varegei. Kana urongwa uhu nezvavari kuita zviri zvavanhu zvichakundikana asi kana zviri zvaMwari hamumbokwanisa kuvaparadza. Pamwe mungatowanikwa mavakurwisana naMwari.” Nokudaro vakatevera zano rake. Pavakadaidza vapositori kuti vapinde, vakavarova vakavakomekedza kuti vasataure muzita raJesu ndokuvarega vachienda. Vakabva mudare vachifara kuti vakaonekwa vakakodzera kuzvidzirwa zita iroro. Zuva nezuva, muTemberi nomudzimba, havana kumira kudzidzisa nokuparidza kuti Jesu ndiye Mesia. Pamazuva iwayo vadzidzi pavakanga vava kuwanda vechiGiriki vakanyunyutira vechiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikirwa pakugoverwa kwamazuva ose. Vane gumi navaviri vakaunganidza gungano ravadzidzi vakati, “Hazvina kunaka kuti tirege kuparidza shoko raMwari tichipa zvokudya. Naizvozvo hama dzangu sarudzai pakati penyu varume vanomwe vane zita rakanaka vazere naMweya noungwaru vatinogona kupa basa iri. Asi isu tozvipira kubasa rokunamata nokuva vashandiri veShoko.” Zvavakataura zvakafadza gungano rose. Vakasarudza Sitefani murume akanga azere nechitendero naMweya Mutsvene kouya Firipi naPurokorusi naNikanori koti Timoti naPemenasi naNikorausi wokuAndiyoku akapindukira kuchiJudha. Vakavaunza panavapositori. Ivo vakanamata vakaisa maoko avo pavari. Shoko raMwari rakaenderera mberi uye uwandi hwavadzidzi hwakakura zvikuru kwazvo muJerusaremu. Vapristi vazhinji vakagamuchirawo chitendero. Sitefani aiva azere nenyasha nesimba akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu. Ipapo vamwe vaiva veSinagogu yavaSununguki sokudaidzwa kwayaiitwa, nevokuSairini nevokuArekizandiria nevakabva Kirikia nokuAsia vakamuka kuitirana nharo naSitefani. Asi havana kukwanisana noungwaru naMweya waaitaura ainaye. Vakasoka vamwe varume kuti vati, “Takamunzwa achitaura manzwi okushonha Mosesi naMwari.” Vakapinza mweya wokupanduka mukati mavanhu nomukati mavakuru vakuru nomuvanyori vakaenda kwaari vakamubata vakamuunza kudare. Vakamuisira zvapupu zvenhema vakati: “Munhu uyu haambomira kutaura mashoko ukushora nzvimbo ino tsvene uye kushora Mutemo, nokuti takamunzwa achiti, ‘Jesu uyu weNazareti achaparadza nzvimbo iyi uye achasandura tsika dzatakagamuchira kuna Mosesi.’ ” Dare rose rakanga rigeremo rakanyatsomutarisisa rikaona kuti uso hwake hwakanga hwakaita souso hwomutumwa. Mupristi mukuru akati, “Ndizvo here izvi?” Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari, ‘Ibva munyika mako nomuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’ Akabva kunyika yavaKaradhia akandogara kuHarani. Pakafa baba vake, Mwari akamubvisa ikoko akamuunza munyika ino yamugere iye zvino. Asi haana kumupa nhaka mairi kunyange pokutsika rutsoka zvarwo, asi akatsidza kuti achaipa kwaari kuti ive yake uye kuti ive yezvizvarwa zvake mushure make. Kunyange akanga asina mwana, Mwari akati zvizvarwa zvake zvichava vatorwa munyika yavamwe vachavaita varanda nokuvabata zvakaipa kwamakore mazana mana. Asi Mwari akati, ‘Ndicharanga rudzi irworwo rwavachashandira. Mushure maizvozvo vachabuda vozondinamata munzvimbo ino.’ Akaita naye chitenderano chokudzingiswa. Naizvozvo Abhurahamu akava baba vaIsaki akamudzingisa pazuva rechisere. Isaki akava baba waJakobho. Jakobho akava baba wamadzitateguru gumi namaviri. “Pamusana pokuti mamwe madzitateguru aya akaita shanje naJosefi, akamutengesa kuIjipiti asi Mwari aiva naye. Akamununura munhamo dzake dzose akamuitira nyasha. Akamupa ungwaru pamberi paFarao mambo weIjipiti. Iye Farao akamuitawo mutongi weIjipiti neweimba yake yose. Zvino kwakauya nzara muIjipiti yose neKanani nokutambura kukuru kwazvo. Madzitateguru edu akashaya zvokudya. Jakobho paakanzwa kuti kune zvokudya kuIjipiti akatuma madzibaba edu kokutanga. Parwendo rwechipiri Josefi akazvizivisa kuvakoma vake. Ndokubva mhuri yaJosefi yazivikanwa naFarao. Josefi akavatuma kundodana Jakobho baba vake kwaari nehama dzake dzose dzaisvika makumi manomwe ane vanhu vashanu. Jakobho akadzika kuIjipiti. Iye pachake namadzitateguru edu vakafa. Jakobho akatakurwa achiendeswa kuShikemu akaradzikwa muguva rakanga ratengwa nechitsama chemari kuvana vaHamori kuShikemu. “Nguva yezvakanga zvatsidzirwa Abhurahamu naMwari payakanga yava kusvika, vanhu vakawanda, vakava vazhinji kusvikira pamuka mumwe mambo akanga asingazivi Josefi. Munhu iyeyo akabata rudzi rwedu noujarijari. Akamanikidza madzitateguru edu kuti vayanike vacheche vavo kuti vafe. Panguva iyoyo ndipowo pakaberekwa Mosesi uye akanga akanaka zvikuru kwazvo pana Mwari. Akarerwa kwemwedzi mitatu mumba mababa vake. Paakazoburitswawo panze mukunda waFarao akamutora akamuita wake ndokumurera somwana wake. Mosesi akadzidziswa ungwaru hose hwavaIjipiti uye akanga ane simba mumazwi ake nomuzviito. “Paakanga ava namakore makumi mana, akaita pfungwa yokushanyira hama dzake vaIsiraeri. Paakaona mumwe wavo achiitirwa zvakaipa akadzivirira aiitirwa zvakaipa. Akamutsividzira nokuponda muIjipiti. Mosesi aifunga kuti hama dzake dzainzwisisa kuti Mwari aida kuvanunura nomumaoko ake asi havana kunzwisisa. Ramangwana racho akasvika pane vamwe vairwa. Akada kuvayananisa achiti varume muri hama nehama munoda kukuvadziranei? Asi murume aiitira mumwe zvakaipa akamusairira kurutivi achiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi wedu? Asi unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipiti nezuro?’ Mosesi paakanzwa izvi akatiza. Akava mupoteri munyika yavaMidhia kwaakabereka vanakomana vaviri. “Kwakati kwapera makore makumi mana mutumwa akazviratidza kwaari murenje pedyo negomo reSinai murimi romoto mugwenzi. Mosesi paakazviona akashamiswa nezvaakaona. Paakaswedera pedyo kuti anyatsoona, izwi raTenzi rakanzwika richiti, ‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho.’ Mosesi akadedera akatya kutarisa. Tenzi akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako mutsoka dzako nokuti nzvimbo yawakatsika inzvimbo inoera. Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo; zvino ndaburuka kuzovanunura. Saka zvino chiuya ndikutume kuIjipiti.’ Mosesi uya wavakaramba vachiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi?’ Murume iyeyo ndiye akatumwa naMwari samambo somununuri nesimba romutumwa akazviratidza mugwenzi. Akavaburitsa mushure mokunge aita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti nokuGungwa Dzvuku nomurenje kwamakore makumi mana. Ndiyeyu Mosesi wacho akati kuvaIsiraeri, ‘Mwari vachakumutsirai muporofita muhama dzenyu sokundimutsa kwaakaita. Iyeyu ndiye aiva negungano murenje nomutumwa akataura kwaari pagomo reSinai uye akataura namadzitateguru edu. Akagamuchira zvirevo zvipenyu zvokutipa.’ “Madzitateguru edu akaramba kumuteerera vakamusairira kwakadaro. Mwoyo yavo yakanga yadzokera kuIjipiti vachiti kuna Aroni tigadzirire vamwari vokutitungamirira. ZvaMosesiwo uyu akatiburitsa munyika yeIjipiti hatizivi zvakaitika kwaari. Pamazuva iwayo vakaumba mhuru vakapira chibayiro kuchiumbwa chokunamata vachipemberera zvakaitwa namaoko avo. Mwari akavafuratirawo ndokuvati chi mukunamata gurusvusvu romudenga sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ravaporofita zvichinzi: “ ‘Makambopira kwandiri here mhuka dzakauraiwa kana zvibayiro kwamakore makumi mana amaiva murenje nhaimi vaIsiraeri? Handiti makatakura tendhe raMoreki nenyenyedzi yamwari Refani, zvifananidzo zvamakaumba kuti munamate? Ndichakudzingirai kunyika iri mberi kweBhabhironi.’ “Madzibaba edu akanga ane tendhe rechipupuriro murenje raiva rakaita sezvakanga zvataurwa naMwari akataura kuna Mosesi kuti ariite maererano namamiriro aro aakanga amboona. Madzibaba eduwo akarigamuchira akauya naro pamwechete naJoshuwa pavakatorera nyika vechirudzi vaifanodzingirwa madzibaba edu naMwari. Vaiva naro kusvikira pamazuva aDhavhidhi akafadza Mwari. Dhavhidhi akazokumbira kuti atsvakire Mwari waJakobho pokugara. Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba. Asi wokumusorosoro haagari mudzimba dzakaitwa namaoko sokutaura komuporofita achiti, “ ‘Denga chigaro changu choumambo, nyika iri iyo chitambarariko chetsoka dzangu. Imba yorudzii yaungandivakire; ndizvo zvinotaura Tenzi. Ndeipi nzvimbo yandingazororere? Harusi ruoko rwangu here rwakaita zvose izvi? Imi vanhu vomusoro wakaoma, vanhu vomwoyo isinei naMwari, venzeve dzisingadi kunzwa zvaMwari, vanhu vokurwisana naMweya. Zvaiita madzibaba enyu ndizvowo zvamunongoita.’ “Muporofita upi asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya vaya vakafanotaura zvokuuya komururami wakamupandukira mukaponda. Imi makagamuchira mutemo sokupiwa kwawakaitwa navatumwa asi hamuna kuuchengeta.” Pavakanzwa zvinhu izvi vakashatirwa kwazvo vakamuchenamira mazino. Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa mudenga akaona mbiri yaMwari, Jesu amire kurudyi rwaMwari akati, “Tarirai muone, ndiri kuona denga rakazaruka Mwanakomana womunhu akamira kurudyi rwaMwari.” Asi vakazhamba nezwi repamusoro vakadzivirira nzeve vakamuti momote, ndokumuburitsa kunze kweguta vakamutaka namabwe. Zvapupu zviya zvakaisa magemenzi azvo patsoka dzerimwe jaya rainzi Sauro. Pavaimutaka namatombo Sitefani akanamata achiti, “Tenzi Jesu gamuchirai mweya wangu.” Akapfugama akadaidzira nezwi guru achiti, “Tenzi, musavape mhosva yechitadzo ichi.” Paakapedza kutaura akabva avata hope dzokupedzisira. Sauro akabvumirana nezvokuuraiwa kwake. Musi iwoyo kutambudzwa kukuru kwesangano kwakamuka muJerusaremu. Vose, kusiya vapositori chete, vakapararira nenyika yeJudhea neSamaria. Vanamati vakaviga Sitefani vakamuchema zvikuru. Asi Sauro paaiedza kuparadza Sangano, aipinda imba nemba achikwekweretsa varume navakadzi achivaisa mujeri. Zvino vaya vakapararira, vakaenda vachiparidza shoko. Firipi akadzika kuguta reSamaria akavaparidza zvaMesia. Chikwata chikuru chavanhu chakateerera nomwoyo mumwechete kune zvaitaurwa naFiripi pavakamunzwa uye pavakaona zviratidzo zvaaiita, nokuti mweya yakaipa yakabuda muna vazhinji vakanga vakapoterwa ichizhamba. Vamwe vazhinji vakanga vakaoma mitezo kana kuremara vakarapwa. Naizvozvo makave norufaro rukuru muguta iroro. Kwaiva nomumwe murume ainzi Simoni aiita mashiripiti muguta iroro, akashamisa vanhu veSamaria achizviti ndini pano. Vose vakamuteerera kubvira kuvaduku kusvika kuvakuru vachiti, “Murume uyu ndiye mumwe mwari uya anonzi Samukurumukuru.” Nokudaro vaimuteerera nokuti aivashamisa namashiripiti ake kwenguva ndefu. Asi pavakatenda Firipi paaiparidza Shoko Rakanaka nezvoumambo hwaMwari uye zita raJesu Kristu vakaombekwa, varume navakadzi. Kunyange Simoni pachake akadavira. Mushure mokunge aombekwa akaenderera mberi aina Firipi. Paakaona zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvakaitwa zvakamukatyamadza. Vapositori vaiva kuJerusaremu pavakanzwa kuti Samaria yakanga yagamuchira Shoko raMwari vakavatumira Pita naJohani. Vakadzika vakavanamatira kuti vagashire Mweya Mutsvene nokuti Mweya Mutsvene akanga asati aburukira panaani zvake wavo; asi vakanga vangoombekwa chete muzita raTenzi Jesu. Vakaisa maoko avo pavari vakagamuchira Mweya Mutsvene. Simoni paakaona kuti Mweya waipiwa nokuiswa kwamaoko avapositori pavanhu akavapa mari achiti, “Ndipeiwo simba irori kuti munhu wose wandinenge ndaisa maoko angu paari agamuchire Mweya Mutsvene.” Asi Pita akati kwaari, “Parara nemari yako iyoyo nokuti wafunga kuti unogona kuwana chipo chaMwari nemari. Hauna nzvimbo kana mugove mune zvinhu izvi nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. Saka tendeuka pauipi hwako uhu unamate kuna Tenzi kuti zvimwe pfungwa dzemwoyo wako dziregererwe nokuti ndinoona kuti mwoyo wako uzere nenduru inovava uye uri musungwa wouipi.” Simoni akapindura achiti, “Ndinamatireiwo kuna Tenzi kuitira kuti zvose zvamataura zvirege kundiwira.” Zvino pavakanga vapa uchapupu hwavo uye vataura shoko raTenzi vakadzokera kuJerusaremu vachiparidza Shoko Rakanaka mumisha yakawanda yevekuSamaria. Mutumwa waMwari akati kuna Firipi, “Simuka uende kumaodzanyemba kunzira inodzika kuGaza ichibva kuJerusaremu.” Nzira iyi inzira yomurenje. Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata. Akanga achidzokera agere mungoro yake achiverenga bhuku romuporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.” Firipi akamhanyira kwaari akamunzwa achiverenga Isaya muporofita. Akabvunza kuti, “Muri kunzwisisa here zvamuri kuverenga.” Iye akati, “Ndingagonzwisisa sei kusatoti mumwe anditsanangurira.” Akakumbirisa Firipi kuti akwire agare naye. Zvino ndima yaMagwaro Matsvene yaaiverenga ndeiyi. “Sehwai iri kuendwa nayo kundouraiwa kana sehwayana iri pamuveuri wayo, haana kumboti muromo bufu. Mukuninipiswa ikoku haana kuitirwa zvaaikodzera Ndiani angatsanangure nezvechizvarwa chake nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.” Muyuniki akati kuna Firipi, “Nditaurirewo kuti muporofita uyu ari kutaura nezvani, nezvake here kana kuti nezvomumwewo?” Ipapo Firipi akatangisa kutaura achibvira pandima iyi yaMagwaro Matsvene, akamutaurira zveShoko Rakanaka rezvaJesu. Pavaifamba kudaro munzira vakasvika pane mvura. Muyuniki akati, “Tarisa uone pano pane mvura. Chingandirambidze kuombekwa chii?” Firipi akati, “Kana uchitenda nemwoyo wose unogona kuombekwa.” Iye akapindura achiti, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.” Muyuniki akati, Ngoro imiswe. Vose vari vaviri vakapinda mumvura iye Firipi nomuyuniki akabva amuombeka. Pavakabuda mumvura Mweya waTenzi wakabvisa Firipi ipapo. Muyuniki haana kuzomuonazve. Asi akaenda rwendo rwake achifara zvikuru. Firipi akazoonekwa ava kuAzotusi. Maaipfuura namo aiparidza Shoko Rakanaka mumaguta ose kudzamara kusvika kuKesaria. Ipapowo Sauro akanga ari moto moto kutyisidzira nokuuraya vadzidzi vaTenzi. Akaenda kumupristi mukuru, akamukumbira matsamba akanyorerwa masinagogu okuDhamasikusi okuti kana akawana ani naani zvake anotevera nzira iyi, vangave varume kana vakadzi, auye navo kuJerusaremu vakasungwa. Zvino zvaaifamba; avakusvika kuDhamasikusi chiedza chakabva kudenga chikayerekana chamupenyera. Akabva aputsikira pasi. Akanzwa izwi richitaura kwaari richiti, “Sauro, Sauro uri kunditambudzireiko?” Iye akati, “Ko ndimi aniko Tenzi?” Iye akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza. Asi chisimuka upinde muguta. Uchataurirwa zvaunofanira kuita.” Varume vaaifamba navo zvakavashaisa romuromo. Vainzwa izvi asi pasina wavari kuona. Sauro akasimuka akazarura maziso ake asi hapana chaaikwanisa kuona. Naizvozvo vakatoita zvokumubata ruoko vachimutungamirira. Vakaenda naye muDhamasikusi. Akaita mazuva matatu asingaoni asingadyi kana kunwa. Imomo muDhamasikusi maiva nomudzidzi ainzi Ananiya. Tenzi akati kwaari, muchiratidzo, “Ananiya,” iye akati, “Ndiri pano Tenzi.” Tenzi akati kwaari, “Simuka uende kumugwagwa unonzi Sitireti ubvunze pamba paJudhasi mumwe murume wokuTasusi anonzi Sauro. Izvozvi ari kutonamata uye aoneswa murume anonzi Ananiya achiuya achizoisa maoko ake paari kuti akwanise kuonazve.” Asi Ananiya akapindura achiti, “Tenzi ndakanzwa navazhinji nezvomurume uyu kuti zvakawanda sei zvakaipa zvaakaita kuvatsvene venyu kuJerusaremu. Iko kuno ane simba rinobva kuvapristi vakuru kuti asunge vose vanodaidza zita renyu.” Asi Tenzi akati kwaari, “Enda zvako nokuti iye mudziyo wangu wokutakura zita rangu pamberi pevechirudzi napamberi pamadzimambo napamberi pavaIsiraeri, nokuti ndichamuratidza kuti anofanira kutambudzika zvakadiyi pamusana pezita rangu.” Naizvozvo Ananiya akaenda akasvikopinda muimba iyoyo. Akaisa maoko ake paari akati, “Hama Sauro, Tenzi Jesu akazvionesa panzira yawaiuya nayo andituma kuti ukwanise kuonazve uye kuti uzadzwe naMweya naMutsvene.” Pakarepo zvimwe zvinenge maranga zvakadonha mumaziso ake, akagona kuonazve. Akasimuka akaombekwa. Akadya akabva asimba. Sauro akagara navadzidzi kuDhamasikusi kwamazuva mazhinji. Pakarepo aiparidza mumasinagogu achiti Jesu Mwanakomana waMwari. Vose vakamunzwa vakakatyamadzwa vachiti, “Ko uyu haasiriye here murume uya akamutsa muchokoto muJerusaremu kuna vavo vanodaidza zita iri uye ndozvaavinga kuno kuti aende navo vakasungwa kuvaPristi vakuru?” Simba raPauro rakaramba richingowedzera, vaJudha vaigara muDhamasikusi vakazvishaira pazvo avakuratidza pachena kuti Jesu ndiye Mesia. Mushure memazuva mazhinji vaJudha vakapangana kumuuraya. Bangano ravo rakazivikanwa naSauro. Vaigaririra pamisuo mikuru siku nesikati kuti vamuuraye. Asi vadzidzi vake vakamutora nousiku vakamudzikisa ari mutswanda napamusoro porusvingo. Paakasvika kuJerusaremu akaedza kubatana navadzidzi asi vose vaimutya nokuti havana kutenda kuti akanga ava mudzidzi. Asi Bhanabhasi akamutora akaenda naye kuvapositori akavatsanangurira kuti akaona sei panzira, Tenzi akataura naye uye kuti akaparidza muDhamasikusi nechivindi chakadii muzita raJesu. Akagara navo akasununguka muJerusaremu achiparidza akashinga muzita raTenzi. Akataura achipikisana nevechiGiriki asi ivo vaitotsvaka zvokumuuraya. Vehama pavakazviziva vakadzika naye kuSezaria vakamuendesa kuTaso. Nezvo sangano rakava norunyararo muJudhea yose nomuGarirea nomuSamaria. Sangano rakasimbiswa richibatsirwa naMweya Mutsvene, rikakura richigara mukutya Tenzi. Zvino Pita zvaaifamba — famba mukati mavo vose akaendawo kuvatsvene vaigara kuRidha. Ikoko akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga angove wepabonde nokurwara kwamakore masere uye akanga akafa mitezo. Pita akati kwaari, “Eniasi Jesu Kristu ari kukurapa, simuka upete bonde rako.” Akabva asimuka pakarepo. Vagari vose vomuRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna Tenzi. KuJopa ikoko kwaiva nomudzimai ainzi Tabhita, zvinoreva kuti Dhokasi, akanga azere namabasa akanaka namabasa etsitsi. Pamazuva iwayo akarwara akafa. Pavakanga vamushambidza vakandomurarisa muimba yapamusoro. Zvino Ridha zvayaiva pedyo neJopa, vadzidzi pavakanzwa kuti Pita ariko vakatuma varume vaviri kwaari kundomukumbira vachiti, “Uyai kwatiri nokukasira.” Naizvozvo Pita akasimuka akaenda navo. Paakasvika, vakaenda naye kuimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira paari dzichichema dzichiratidza mabhachi nehanzu dzakasonwa naDhokasi achinavo. Pita akavaburitsa kunze vose akapfugama achinamata. Akatendeukira kuchitunha akati, “Tabhita muka.” Tabhita akabva asvinura. Paakaona Pita, akamuka akaita zvokugara. Pita akamutambanudzira ruoko akabva amusimudza ndokudaidza vanamati nechirikadzi akamupa kwavari ava mupenyu. Zvakazivikanwa muJopa yose, vanhu vazhinji vakadavira muna Tenzi. Akagara kwamazuva mazhinji naSimoni musuki wamaTehwe. KuSezaria kwaiva nomumwe murume ainzi Koneriasi mutungamiriri wezana ramasoja wechikwata chainzi chikwata chamaTariyana, munhu aitya Mwari pamwechete nemhuri yake yose aiva noruoko rwokupa kwazvo kuvanhu uye aigara achinamata kuna Mwari. Paawa yechitatu yamasikati akanyatsoona muchiratidzo mutumwa waMwari achipinda maaiva achiti, “Koneriasi.” Akamutarisisa achitya akati, “Chiiko nhai Tenzi?” Mutumwa ndokuti, “Minamato yako nezvipo zvako kuvanhu zvakwira kudenga sechinhu chinoyeukwa pamberi paMwari. Zvino chitumira vanhu kuJopa vauye naSimoni anonzi Pita. Agere pamba paSimoni wamatehwe ane imba iri munyasi megungwa.” Mutumwa uya akataura kwaari paakaenda, akadaidza varanda vake vaviri nomusoja aida zvokunamata pakati pavanhu vaimushandira. Akati avarondedzera zvose akavatuma kuJopa. Ramangwana acho pavakanga vari parwendo rwavo vava kusvika pedyo neguta, Pita akakwira pamusoro pemba kundonamata masikati makuru. Akanzwa nzara akada zvokudya. Asi pavakanga vachiri kugadzira zvokudya, akava mumweya. Akaona denga richizaruka chimwe chinhu chichiburuka chakaita sejira guru richiburutswa pasi richiita serakabatwa namakona aro mana. Mariri makanga mune mhuka dzakasiyana — siyana nezvipuka zvinoita zvokuzvova napasi neshiri dzedenga. Kwakauya izwi kwaari richiti, “Pita simuka uuraye udye.” Asi Pita akati, “Kwete Tenzi nokuti handisati ndambodya zvinhu zvose zvose kana zvakan'ora.” Izwi rakauyazve kechipiri kwaari richiti, “Zvinenge zvachenurwa naMwari usazviti zvakan'ora.” Izvi zvakaitika katatu chinhu chacho chikabva chatorwa pakarepo chikaendeswa kudenga. Pita paakanga achiri kukangaidzwa mumwoyo kuti chiratidzo chaakanga aona chinorevei, havo varume vaya vakatumwa naKoneriasi vakanga vatomira pasuo guru nokuti vakanga vabvunza nezvemba yaSimoni. Vakadaidzira kuti vabvunze kuti Simoni anonzi Pita ari kugarapo here. Pita paakanga achifungisisa nezvechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Chinzwa varume vatatu vari kukutsvaka. Simuka udzike uende navo pasina zvokukahadzika nokuti ndini ndavatuma.” Pita akadzikawo kwaiva navarume vaya akati, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingei?” Ivo vakati, “Koneriasi, mutariri wezana ramasoja munhu ari pachokwadi, munhu anotya Mwari uye anorumbidzwa norudzi rwose rwechiJudha akatungamirirwa nomutumwa anoera kuzokudaidzai kuti muuye kumba kwake kuti anzwe zvamungataure.” Ipapo akavapa pokurara. Ramangwana acho, akamuka akaenda navo. Vamwe vehama vokuJopa vakaendawo naye. Pazuva rinotevera racho vakapinda muSezaria. Koneriasi anga achivatarisira uye, akanga atodaidza hama neshamwari dzake dzapamwoyo. Pita paakapinda, Koneriasi akamuchingura akagwadama patsoka dzake akamupfugamira. Pita akamusimudza achiti, “Simukai ini ndiri munhuwo?” Paaitaura naye akapinda akawana vanhu vazhinji vakaungana akati kwavari, “Imi munozviziva pachenyu kuti zvinorambidzwa nomutemo zvakadii kuti muJudha afambidzane kana kushanyira ani zvake worumwe rudzi asi Mwari wandiratidza kuti handifaniri kuti ani zvake haakodzeri kana kuti akan'ora. Saizvozvo pakauya vanhu kuzondikoka, ndakauya pasina zvokuramba. Nezvo ndinokubvunzai kuti mandidaidzirei.” Koneriasi akati, “Mazuva mana apfuura panguva yakaita saiyo ino ndakanga ndichinamata paawa yechitatu masikati mumba mangu. Ndiye onei munhu amira pamberi pangu akapfeka zvinhu zvichena! Akati, ‘Koneriasi munamato wako wanzwika uye zvipo zvako kuvarombo zvakayeukwa pamberi paMwari. Tumira nhume kuJopa ubvunze nezvaSimoni anonzi Pita agere paSimoni musuki wamatehwe ane imba iri munyasi megungwa.’ Saizvozvo ndakabva ndatumira nhume kwamuri pakarepo. Imiwo maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo tiri pano tose pamberi paMwari kuti tinzwe zvamaudzwa naMwari.” Pita akatanga kutaura achiti, “Chokwadi ndiri kuona kuti Mwari haana rusaruro. Asi mumarudzi ose, ani naani anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirika kwaari. Imi munoziva izwi raakatuma kuIsiraeri raiparidza Shoko Rakanaka rorugare zvichiitwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wavose. Ndiroro shoko rakaparidzwa muJudhea yose kubvira kuGarirea mushure meruombeko rwaiparidzwa naJohani. Mwari akazodza Jesu weNazareti naMweya Mutsvene uye akamupa simba. Munozivawo kuti akafamba achiita zvakanaka achiporesa vose vainge vari pasi pesimba raDhiyabhori nokuti Mwari aiva naye. Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha neJerusaremu. Vakamuuraya nokumuturika pamuti. Mwari akamumutsa pazuva retatu akamuratidza kwete kuvanhu vose asi kunesu vakasarudzwa naMwari kuva zvapupu isu takadya nokunwa naye mushure mokumuka kwake muvafi; uye akatiti tinofanira kundoparidza vanhu nokupupura kuti ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wavapenyu navakafa. Vaporofita vose vanomupupurira kuti munhu wose anotenda kwaari anoregererwa zvitadzo zvake muzita rake.” Pita paakanga achiri kutaura, Mweya Mutsvene akaburikira pana vose vakanzwa shoko iri. Vatendi pakati pavakadzingiswa vakanga vauya naPita vakashamiswa, nokuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange pane vechirudzi, nokuti vakanzwa vachitaura nendimi uye vachirumbidza Mwari. Ipapo Pita akati, “Pana angarambidze here kuti vanhu ava vaombekwe nemvura vadai kugashira Mweya Mutsvene sokugamuchira kwatakamuita?” Akabva ati ngavaombekwe muzita raJesu Kristu. Vakazomukumbira kuti ambogara navo kwamazuva akati kuti. Vapositori navehama vaiva kuJudhea vakanzwa kuti vechirudzi vakanga vagamuchirawo Shoko raMwari. Naizvozvo Pita paakakwira kuJerusaremu vechikwata chevokudzingiswa vakamutsoropodza vachiti, “Makaenderei kuvanhu vasina kudzingiswa muchidya navo?” Pita akatanga kutsanangura achinyatsovarondedzera zvakaitika, achiti: “Ndaiva muguta reJopa ndichinamata; ndiri mumweya ndakaona, chiratidzo chechimwe chinhu chaiburuka chaiita sejira guru richidzikiswa richibva kudenga richiita serakabatwa namakona aro mana. Rakaburuka richiuya kwandiri. Pandakanyatsoritarisisa ndakaona mhuka nezvikara zvinodya nyama nezvinozvova napasi neshiri dzedenga. Ndakanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Pita simuka uuraye udye.’ Asi ndakati, ‘Kwete, Tenzi, handisati ndambodya, zvisingakodzeri kana zvakan'ora.’ Asi izwi rakapindura kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Zvinenge zvachenurwa naMwari usazviti zvakan'ora.’ Izvi zvakaitika katatu. Zvose zvikabva zvasimudzwa zvichiendeswa kudenga. Panguva yakareyo varume vatatu vakasvika pamba pataigara vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuSezaria. Mweya akandiudza kuti ndiende navo pasina zvorusaruro. Vehama vatanhatu ava vakaendawo neni. Takapinda mumba momurume iyeyo. Akatirondedzera kuona kwaakaita mutumwa amire mumba make achiti, ‘Tuma vanhu kuJopa vauye naSimoni anonzi Pita. Iye achakutaurira shoko richakuponesa iwe nemhuri yako yose.’ Pandakatangisa kutaura Mweya Mutsvene akaburukira pavari sezvakangoitikawo patiri pakutanga paya. Ndakayeuka shoko raTenzi paakati, ‘Johani aiombeka nemvura asi imi muchaombekwa naMweya Mutsvene.’ Zvino kana Mwari akapa chipo chimwechetecho chaakapa kwatiri patakatenda muzita raTenzi Jesu Kristu. Ko ndiri aniwo zvangu ndaigona kumirisana naMwari.” Pavakanzwa izvi vakapwiswa vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka Mwari anoitawo kuti vechirudzi vatendeuke vawane upenyu.” Zvino vaya vakapararira pamusana pokutambudzwa kwakamuka nokuda kwaSitefani, vakaenda zvokutonosvika kuFonikia neSaipurasi nokuAndiyoku vasingaparidzi shoko kuna ani zvake kusiya kuvaJudha. Asi pane vamwe vavo, varume vokuSaipurasi nokuSairini pavakaenda kuAndiyoku vakataurawo kuvaGiriki vachivaparidza Tenzi Jesu. Ruoko rune simba rwaTenzi rwakanga rwuinavo uye vanhu vazhinji vakadavira vakatendeukira kuna Tenzi. Zvinhu izvi zvakasvika munzeve dzesangano raiva muJerusaremu vakatumira Bhanabhasi kuAndiyoku. Paakasvika akaona nyasha dzaMwari akafara. Akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka vakati kwati kwati nomwoyo wose kuna Tenzi. Bhanabhasi uyu aiva munhu akanaka azere naMweya nechitendero. Chikwata chikuru chakawedzerwa kuna Tenzi. Naizvozvo Bhanabhasi akaenda kuTaso kundotsvaka Sauro. Paakamuwana akauya naye kuAndiyoku. Kwegore rose vaisangana nesangano vachidzidzisa boka guru ravanhu. MuAndiyoku ndimo makatangira vadzidzi kuidaidzwa kunzi vakristu. Pamazuva iwayo vaporofita vakabva kuJerusaremu vachienda kuAndiyoku. Mumwe wavo anonzi Agabhusi akasimuka akafanotaura aina Mweya kuti kuchava nenzara huru pasi pose. Izvi zvakaitikawo pamazuva aKiraudhiosi. Vadzidzi vakatenderana kutumira rubatsiro kune vehama vaigara kuJudhea mumwe nomumwe achipa sokugona kwake. Vakaita saizvozvo. Vakazvitumira kuvakuru vakuru nomumaoko aBhanabhasi naSauro. Pamazuva anenge iwayo mambo Herodhi akatambudza vamwe vaiva vesangano. Akauraya Jemusi mukoma waJohani nebakatwa. Paakaona kuti zvakafadza vaJudha akaenderera mberi nokusungawo Pita. Aya akanga ari mazuva echingwa chisina mbiriso. Paakamubata akamuisa mujeri akamuisa mumaoko ezvikwata zvina zvamasoja kuti zvimuchengetedze achida kuzomuisa kuvanhu mushure mePasika. Ipapo Pita akachengetedzwa ari mujeri. Asi sangano rakamunamatira zvikuru kuna Mwari. Usiku ihwohwo hwokuti mangwana acho Herodhi paaizoda kumuburitsa, Pita akanga avete pakati pamasoja maviri akasungwa nengetani mbiri uye varindi vapajeri vakanga vachichengetedza jeri vari pamberi pemusuo. Hoyo mutumwa waTenzi akaerekana avemo mukapenya chiedza muchitokisi chaakanga ari. Akazunguza Pita pabendekete akamumutsa achiti, “Kurumidza kusimuka.” Ngetani dzaiva mumaoko ake dzakabva dzadonhera pasi. Mutumwa akati kwaari, “Pfeka shangu dzako,” iye akaita saizvozvo. Akatizve, “Zvimonerere jasi rako unditevere” akabuda kunze achimutevera. Haana kuziva kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zviri zvechokwadi. Aifunga kuti ari kuona chiratidzo. Pavakapfuura varindi vokutanga nevechipiri vakasvika kusuo guru resimbi rokupinda naro muguta. Rakangovazarukira roga. Ivo ndokubuda ndokutevedza mumwe mugwagwa, mutumwa akayerekana asisipo. Pita akapengenuka akati zvino ndava nechokwadi kuti Tenzi atuma mutumwa wake akandinunura mumaoko maHerodhi uye kune zvose zvaitarisirwa navaJudha. Paakaziva izvi, akaenda kumba kwaMaria amai vaJohani aiva nerimwe zita rainzi Mako kwakanga kwaunganwa navanhu vazhinji vachinamata. Paakagogodza pagonhi resuo guru, musikana ainzi Rodha akauya kuzonzwa kuti ndiani. Paakaziva kuti izwi iri nderaPita pamusana pokufara haana kuzarura suo guru asi akamhanyira makare akataura kuti, “Pita akamira pasuo guru.” Vakamuti, “Wavakupenga iwe!” Paakaramba achingoti ndizvo chaizvo, vakati angatova mutumwa wake. Asi Pita akaramba achigogodza. Pavakazarura vakamuona vakashamiswa kwazvo. Asi Pita akavaninira kuti vanyarare. Akavarondedzera kuti Tenzi akamuburitsa sei mujeri. Akatiwo, “Taurirai Jemusi nevehama.” Ndokubva abva akaenda kune imwe nzvimbo. Pakwakaedza rakave besanwa pakati pamasoja kuti chii chakanga chaitika kuna Pita. Herodhi paakamutsvaka akamushaya. Akabvunzisisa varindi akati, “Vanofanira kuurawa.” Herodhi akadzika kuSezaria achibva Judhea akagarako. Herodhi akashatirirwa vanhu veTire neSidhoni zvikuru. Nezvo vakaenda kwaari vari chikwata. Ipapo vakanga vashamwaridzana naBhurasitosi mukuru mukuru wapamba pamambo. Saizvozvo vakakumbira kuti pave norugare nokuti nyika yavo yaitoraramiswa nezvokudya chinobva kunyika yamambo. Pazuva rakanga rasarudzwa, Herodhi akapfeka hanzu dzake dzoumambo ndokugara pachigaro chake choumambo akataura kwavari zvinoyevedza, vanhu vakadaidzira vachiti, “Inga izwi romumwe mwari chaiye kwete romunhu.” Pakarepo mutumwa waTenzi akamurova nokuti haana kupa mbiri yacho kuna Mwari. Akadyiwa nehonye akafa. Asi Shoko raMwari rakaramba richikura richiwanda. Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusaremu pavakapedza zvavakanga vafambira vakauya naJohani aiva nerimwe zita rainzi Mako. Musangano rokuAndiyoku maiva navaporofita navadzidzisi vaiti Bhanabhasi naSimeoni ainzi Mutema kouya Rusiasi wokuSairini naManaeni (akarerwa naHerodhi mutetiraki) naSauro. Pavainamata Tenzi uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vaite basa randavasarudzira. Mushure mokutsanya nokunamata vakaisa maoko avo pavari vakavaendesa. Sokutumwa kwavakaitwa naMweya Mutsvene vakadzika kuSerusia. Vakazobva ikoko vakaenda kuSaipurasi nengarava. Pavakasvika kuSaramisi vakaparidza Shoko raMwari mumasinagogu avaJudha uye vaiva naJohani wokuvabatsira. Pavakafamba nechitsuwa ichocho chose kusvika kuPafosi, vakasvika panomumwe munhu wamashiripiti, muporofita wechiJudha wenhema ainzi Bha Jesu. Aiva naSejiusi Pauro gavhuna, munhu aiva nouchenjeri akadaidza Bhanabhasi naSauro achida kunzwa Shoko raMwari. Asi Erimasi munhu wamashiripiti uya, (izvozvi ndizvo zvinoreva zita rake) akavadzivisa achida kuti gavhuna asagamuchire chitendero. Asi Sauro anonziwo Pauro, azere naMweya Mutsvene, akanyatsomutarisisa akati, “Iwe uzere namanyepo nounyengedzi, mhandu yezvose zvakarurama, dhiabhori womunhu. Hauregi nei kuminamisa nzira dzakati twasa dzaTenzi? Chinzwa, simba roruoko rwaMwari richakurova. Uchava bofu usingagoni kuona usingaoni zuva kwenguva yakati kuti.” Pakarepo mhute nerima zvakabva zvamukwidibira. Akatsvanzvadzira achitsvaka wokumutungamirira akamubata ruoko. Gavhuna uya akatenda paakaona zvakanga zvaitika nokuti akashamiswa nechidzidziso chaTenzi. Zvino Pauro navamwe vake vakabva nechikepe kuPafosi vakasvika kuPeriga muPamufiria. Johani akavasiya akadzokera kuJerusaremu. Ivo vakapfuurira kubva kuPeriga vakasvika kuAndiyoku yokuPisidhia. Pamusi weSabata vakaenda kusinagogu vakagara pasi. Mushure mokunge bhuku romutemo navaporofita zvaverengwa vakuru vakuru veSinagogu vakatuma shoko vachiti, “Hama kana muna mazwi anokurudzira vanhu ataurei.” Naizvozvo Pauro akasimuka akaninira namaoko ake akati: “Vanhu veIsiraeri nemi munotya Mwari teererai Mwari wavanhu ava vechiIsiraeri akasarudza madzibaba edu akaita kuti vanhu ivava vave rudzi rukuru panguva yavaigara munyika yeIjipiti akavaburitsa nesimba roruoko rwake. Kwenguva inenge makore makumi mana akavaitira mwoyo murefu murenje. Paakaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani akavapa nyika yavo kuti ive nhaka yavo kwamakore mazana mana anamakumi mashanu. Mushure maizvozvo akavapa vatongi kusvika pana muporofita Samueri. Vakazokumbira kuti vave namambo Mwari akavapa Sauro mwana waKishi murume wedzinza raBhenjamini kwamakore makumi mana. Paakamubvisa akamutsa Dhavhidhi kuti ave mambo wavo waakataura pachena achiti, ‘Ndakawana muna Dhavhidhi mwana waJese munhu wapamwoyo pangu achaita zvose zvandinoda.’ Muzvizvarwa zvomunhu uyu, Mwari akaunza kuIsiraeri mununuri Jesu sokutsidza kwaakanga aita. Jesu asati auya Johani akanga achiparidza kuvanhu vose veIsiraeri kuti vapinduke vaombekwe. Johani paakanga ava kupedza basa rake akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handisini iye. Kwete, asi mushure mangu muri kuuya mumwe, wandisingakodzeri kubvisa shangu patsoka dzake.’ “Hama dzangu, vana vemhuri yaAbhurahamu navamwe vari mukati menyu vanotya Mwari, ndisu takatumirwa shoko roruponeso irworwu. Kuna vavo vanogara muJerusaremu navatongi vavo, vakazadzisa izvozvi nokumupa mhosva pamusana pokuti havana kumuziva kana kunzwisisa zvaitaurwa navaporofita zvinoverengwa paSabata roga roga. Kunyange pakanga pasina mhosva yokumupa yaikodzera rufu asi vakakumbira Pirato kuti auraiwe. Pavakanga vapedza kuita zvose zvakanga zvakanyorwa nezvake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. Asi Mwari akamumutsa kuvafi. Kwamazuva mazhinji akazviratidza kuna vakakwira naye kubva Garirea vachienda kuJerusaremu zvino vava zvapupu zvake kuvanhu. “Zvino tinokuunzirai Shoko Rakanaka rokuti Mwari zvaakatsidzira kumadzibaba edu izvi akazvizadzisa kwatiri isu vana vavo nokumutsa kwaakaita Jesu sokunyorwawo kwazvakaitwa murwiyo rwechipiri zvichinzi, “ ‘Iwe ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.’ Zvokuti Mwari akamumutsa uye kuti haachazombodzokerazve mukuora akataura achiti, ‘Ndichakupa zvikomborero zvitsvene zvechokwadi zvaDhavhidhi.’ Nezvo anotaura mune rumwe rwiyo achiti, ‘Hamuregi mutsvene wenyu achiora.’ Nokuti Dhavhidhi paakapedza kuita zvaakanga atarirwa naMwari kuti aite muchizvarwa chake akafa akandovigwa pamwechete namadzitateguru ake akaora. Asi iye akamutswa naMwari, haana kuora. Naizvozvo chizvizivai hama dzangu kuti nokumunhu uyu kuregererwa kwezvitadzo kunoparidzwa kwamuri. Munhu wose anotenda anosunungurwa naye muna zvose zvamakanga musingakwanisi kusunungurwa nomutemo waMosesi. Saka, chenjerai, kuti zvimwe, mungawirwe nezvakataurwa muvaporofita zvinoti: ‘Chinzwai imi vanyombi dzungairai muparare nokuti ndichaita chimwe chinhu mumazuva enyu chinhu chamusingabvumi kudavira kana munhu akutaurirai.’ ” Pavakanga vava kubuda vanhu vakakumbira kuti vazovataurirazve zvinhu izvi paSabata raitevera. Pakapera musangano wapasinagogu, vaJudha vazhinji navanamati vaMwari vakanga vapindukira kuchiJudha, vakatevera Pauro naBhanabhasi vakataura kwavari vachivakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari. Pasabata rakatevera chifo cheguta rose rakaungana kuti vazonzwa shoko raMwari. VaJudha pavakaona manyore manyore avanhu vakazadzwa neshanje vakapikisana nezvaitaurwa naPauro vakamunyomba. Pauro naBhanabhasi vakataura nokushinga vachiti, “Shoko raMwari raifanira kutanga rataurirwa kwamuri. Zvino zvamariramba mukaona kuti hamukodzeri upenyu usingaperi, chinzwai, isu tava kuenda kune vechirudzi. Ndizvo zvatakaudzwa naTenzi kuti tinofanira kuita paakati, “ ‘Inga ndakaita kuti uve chiedza kune vechirudzi kuti ruponeso rwangu rusvike kwakaperera nyika chaiko.’ ” Vechirudzi pavakazvinzwa, vakafara vakarumbidza Shoko raMwari, vose zvavo vakanga vakasarudzirwa upenyu usingaperi vakatenda. Shoko raMwari rakapararira munyika iyoyo. Asi vaJudha vakamutsa mweya usina kunaka pakati pamadzimai epamusoro, vanamati, navakuru vakuru vechirume vomuguta iroro vakatanga kutambudza Pauro naBhanabhasi vakavadzinga mudunhu ravo. Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo rokuti vazviparira rushambwa, vakaenda kuIkoniumu. Vadzidzi vakazadzwa norufaro uye naMweya Mutsvene. KuIkoniumu vakapinda vose pamwechete musinagogu yavaJudha vakataura zvokuti boka guru ravaJudha navaGiriki rakatenda. Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaisa mweya wokupanduka mukati mevechirudzi vakavapengesa kuti varwise vehama. Nokudaro vakagara kwenguva ndefu vachitaura nechivindi nezvaTenzi. Iyewo Tenzi, akapupurira Shoko rake renyasha nokupa kwaakaita zviratidzo nezvishamiso kuti zviitwe namaoko avo. Asi vanhu veguta iroro vakanga vakakamukana. Vamwe vaiva kurutivi rwavaJudha vamwe vari divi ravapositori. Vechirudzi navaJudha navatongi vavo pavakanga vachironga kuvatambudza uye kuvataka namabwe, vakazviziva vakatizira kuRisitira nokuDhebhe maguta enyika yeIkoniumu uye kunyika yakatenderedza. Ikoko vakaparidza Shoko Rakanaka. KuRisitira kwaiva nomumwe murume aingogara asingakwanisi kufamba namakumbo ake. Akanga ari mhetamakumbo chizvarirwo chake, asina kana kutombofamba. Akateerera Pauro achitaura. Pauro akanyatsomutarisisa. Paakaona kuti ane chitendero chokuti angaponeswe akataura nezwi riri pamusoro akati, “Simuka umire namakumbo ako.” Iye akakwakuka akafamba. Mhomho yavanhu payakaona zvakanga zvaitwa naPauro yakadaidzira nechiRikaonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri vakaita savanhu.” Bhanabhasi vakamuti ndiZeusi, Pauro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru, vakamuti ndiHeremesi. Mupristi waZeusi aiva neTemberi pamberi peguta, akauya namadhonza uye anamaruva kumisuo mikuru achida kupira chibayiro pamwechete navanhu. Vapositori, vanaBhanabhasi naPauro, pavakazvinzwa vakabvarura nguwo dzavo neshungu. Vakamhanya mumhomho yavanhu vachidaidzira vachiti, “Varume, ko mavakuitireiko izvi? Tiri vanhuwo vakangofanana nemi uye tiri kukuunzirai Shoko Rakanaka tichikutaurirai kuti mutendeuke kune zvinhu izvi zvisina maturo muchienda kuna Mwari mupenyu akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo. Muzvizvarwa zvakapfuura Mwari akabvumira marudzi ose kutevera maitiro avo. Zvakadaro zvazvo haana kukusiyai musina zvinoratidza zvokuvapo kwake munezvinhu zvakanaka zvaanokuitirai. Anokutumirai mvura inobva kudenga, nemwaka yamaguta achikugutsai mwoyo nezvokudya nokufara.” Kunyange namazwi aya vakange votoda kukundika kurambidza vanhu ava kupira chibayiro kwavari. Asi kwakava navaJudha vakabva kuAndiyoku nokuIkoniumu vakafurira vanhu vakataka Pauro namabwe vakamuzvuvira kunze kweguta vachifunga kuti afa. Vadzidzi pavakaungana paari, akasimuka akapinda muguta. Mangwana acho akaenda naBhanabhasi kuDhebhe. Pavakanga vaparidza Dama Rakanaka muguta iroro vakava navadzidzi vazhinji vakadzokera kuRisitira nokuIkoniumu nokuAndiyoku vachisimbisa vadzidzi vachivakurudzira kuenderera mberi nechitendero. Vaiti, kuti tipinde muumambo hwaMwari tinofanira kutopindamo nomumatambudziko akawanda. Pavakavasarudzira vakuru vakuru musangano rimwe nerimwe vachinamata nokutsanya, vakavakumikidza kuna Tenzi wavakanga vakatenda maari. Vakazopfuura nokuPisidhia vakasvika kuPamufuria. Vakati vaparidza shoko muPeriga vakazodzika kuAtaria. Kubva ipapo vakaenda nechikepe kuAndiyoku kuya kwavakaturirwa kunyasha dzaMwari zvichiitira basa irori ravakanga vachangopedza kuita. Pavakasvika vakaunganidza sangano vakataura zvose zvakaitwa naMwari achivashandisa uye kuti Mwari akanga azarura sei musuo wechitendero kune vechirudzi. Vakagara ikoko navadzidzi kwenguva ndefu. Kwakauya vamwe varume vachibva kuJudhea vachidzidzisa vehama kuti, “Kana musina kudzingiswa zvinoenderana noMutemo waMosesi, hamugoni kuponeswa.” Pauro naBhanabhasi havana kuwirirana navo uye vakakavadzana navo zvikuru. Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakazosarudzwa kuti vaende kuJerusaremu kuna vapositori navakuru vakuru nezvenyaya iyi. Saizvozvo zvavakatumwa nesangano kuenda rwendo rwavo vakapfuura nomuFonikia nomuSamaria vachirondedzera kutendeuka kwevechirudzi. Izvi zvakafadza kwazvo vose vehama. Pavakasvika Jerusaremu vakagamuchirwa nesangano navapositori navakuru vakuru vakarondedzera zvose zvavakaitiswa naMwari. Asi vamwe vatendi vebato ravaFarisei vakasimuka vakati, “Vanhu ava vanosungirwa kudzingiswa uye kuvaudza kuti vanofanira kuchengeta Mutemo waMosesi.” Vapositori navakuru vakuru vakaungana kuti vafunge nezvenyaya iyi. Pashure pokunge patauriranwa zvikuru, Pita akasimuka akati kwavari, “Hama, imi munoziva kuti pamazuva okutanga, Mwari akandisarudza pakati penyu kuti vechirudzi vanzwe kubva pamuromo pangu dama reShoko Rakanaka kuti vadavire. Mwari anoziva mwoyo womunhu akazvitsigira nokuvapa Mweya Mutsvene sezvaakangoitawo kwatiri. Haana kumbotisianisa navo asi akachenesa mwoyo yavo nechitendero. Zvino munoedzerei Mwari nokuisa joko pamutsipa yavadzidzi risina kukwanisa kutakurwa namadzibaba edu kana nesu? Asi tinotenda kuti tichaponeswa nenyasha dzaTenzi Jesu sokuponeswa kwavachaitwa.” Gungano rakati zii kunyarara. Vakateerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso zvakaitwa naMwari nemavari pakati pevechirudzi. Pavakapedza kutaura, Jemusi akapindura achiti, “Varume hama, nditeererei. Simoni atitaurira kuti Mwari akashanyira sei vechirudzi, nokutora vanhu mukati mavo vanodaidzwa nezita rake. Izvi zvinowirirana namashoko avaporofita sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “ ‘Mushure mezvo ndichadzoka ndigovakazve imba yokwaDhavhidhi yadai kuputsika. Ndichagadziridza matongo ayo ndiamutsurudze kuti vamwe vanhu vose vatsvake Tenzi nevechirudzi vose vanodaidzwa nezita rangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi akazivisa zvinhu izvi kubvira pasi chigare.’ “Naizvozvo ini ndinofunga kuti hatifaniri kunetsa vechirudzi vanotendeukira kuna Mwari. Asi ngativanyorerei kuti varege kusvibiswa nezvifananidzo zvokunamata; varege upombwe nenyama isina kusinzwa nomusiya. Nokuti kubvira pazvizvarwa zvokutanga mutemo waMosesi wakaparidzwa muguta roga roga uye unoverengwa mumasinagogu pamaSabata ose ose.” Zvakaonekwa chiri chinhu chakanaka kuvapositori navakuru vakuru nesangano rose kusarudza varume pakati pavo vokutuma kuAndiyoku naPauro naBhanabhasi. Vakatuma Judhasi anonzi Bharisabhasi naSirasi vakanga vari vatungamiri pakati pevehama netsamba iyi: “Ndisu vehama, navapositori navakuru vakuru tinokunyorerai imi vehama vechirudzi muri muAndiyoku nekuSiria nekuSirisia tichikukwazisai. Pamusana pokuti takanzwa kuti kune vamwe vanhu vakabva kwatiri vakakunetsai namashoko vachikudzongodzai mwoyo kunyange tisina kuvatuma. Isu takaungana kudai, uye tawirirana, tazviona zvakanaka, kuti tisarudze varume, tivatume kwamuri pamwechete naBhanabhasi naPauro, varume vakaisa upenyu hwavo parumano nokuda kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Naizvozvo tatumira Judhasi naSirasi vachatsinhira pachavo zvimwechetezvo nemiromo yavo. Zvaonekwa zviri zvinhu zvakanaka kuna Mweya Mutsvene nokunesu, kuti tirege kukuremedzai nezvinopfuura izvi chete zvinodiwa, zvokuti: imi musiyane nezvinhu zvakabairwa zvifananidzo zvokunamata, murege musiya nenyama isina kusinzwa uye upombwe. Kana mukarega izvi munoita zvakanaka. Musare zvakanaka.” Naizvozvo pavakanzi vachienda zvavo vakadzika kuAndiyoku. Vakati vaunganidza vanhu vakavagamuchidza tsamba iya. Pavakaiverenga vakafara nokukurudzirwa ikoko. Judhasi naSirasi vaiva ivo vaporofita vakakurudzira vehama namazwi akawanda vakavasimbisa. Pavakaona vapedza nguva yakati kuti vakavaperekedza kuti vaende norugare kune vakanga vavatuma. Kune vakanga vavatuma. *** Pauro naBhanabhasi vakasara muAndiyoku vachidzidzisa nokuparidza shoko raTenzi pamwechetewo nevamwe. Mushure memazuva akati kuti Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Uya tidzokere tindoshanyira vehama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raTenzi tione kuti vakadii.” Asi Bhanabhasi aida kuti vaende pamwechete naJohani anonzi Mako. Asiwo Pauro akanga achifunga kuti zvakanga zvakanaka kurega kuenda nomunhu akanga ambosiyana navo muPamufiria uye munhu akanga asina kuenda navo kubasa iroro. Pakamuka gakava guru zvokuti vakabva vaparadzana. Bhanabhasi, akatora Mako akaenda nechikepe kuSaipurasi. Pauro akasarudza Sirasi. Vakaenda vapedza kukumikidzwa nevehama kunyasha dzaTenzi. Akaenda nokuSiria nokuSirisia achisimbisa masangano. Pauro akasvika kuDhebhe nokuRisitira. Ikoko kwaiva nomumwe mudzidzi ainzi Timoti mwana womumwe mudzimai wechiJudha aiva mutendi, asi baba vake vaiva muGiriki. Vehama vokuRisitira nevokuIkoniumu vaitaura zvakanaka nezvake. Pauro aida kuti Timoti afambe pamwechete naye, nezvo akamutora akamudzingisa pamusana pavaJudha vakanga vari munzvimbo idzodzo nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. Pavaipfuura nomumaguta vaivaturira zvakanga zvasungwa navapositori navakuru vakuru vaiva kuJerusaremu kuti vatevedze. Naizvozvo masangano akasimbiswa muchitendero uye vatendi vaiwanda zuva nezuva. Vakaenda nokunyika yeFirigia neGaratia pavakanga varambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko kuAsia. Pavakasvika pakatarisana neMisia, vakaedza kupinda muBhitinia asi Mweya waJesu haana kuvabvumira. Nezvo vakapfuura nepedyo peMisia vakadzika kuTiroasi. Usiku, Pauro akaona chiratidzo chomunhu wokuMasedhonia akamira achimuteterera achiti, “Uyai kuMasedhonia muzotibatsira.” Paakaona chiratidzo ichocho, takabva tarongedzera kuenda kuMasedhonia. Takanga taziva kuti Mwari akanga atidaidza kundoparidza Shoko Rakanaka kwavari. Takatangisa rwendo rwedu nechikepe kubva kuTiroasi tikananga kuSamotirasi chaiko. Ramangwana acho takaenda kuNeaporisi. Takabva ikoko tikaenda kuFiripi guta guru renyika yeMasedhonia, nyika yaiva pasi penyika yeRoma. Takagara muguta iroro kwamazuva. Pazuva reSabata, takaenda kunze kwesuo guru kumahombekombe erwizi kwataifunga kuti kunzvimbo yokunamatira. Takagara pasi tikataura namadzimai akanga aungana. Mumwe waavo vakatinzwa aiva mudzimai ainzi Ridhia weguta reTiatira aitengesa machira oruvara rwehute ainge ari munamati waMwari. Tenzi akazarura mwoyo wake kuti atirimuke mwoyo kune zvaitaurwa naPauro. Paakaombekwa pamwechete nemhuri yake, akatiteterera achiti, “Kana maona kuti ndakatendeka kuna Tenzi uyai kumba kwangu muzogara.” Takasvika pokutobvuma. Patakanga tichienda kunzvimbo yokunamatira takasangana nomumwe musikana muranda aiva nemweya wokuuka. Aipfumisa varidzi vake zvikuru nokuuka ikoko. Musikana uyu aitevera Pauro nesu achidaidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusorosoro vari kukuparidzai nzira yoruponeso.” Akaita izvi kwamazuva mazhinji. Pauro akashatirwa nazvo akatendeuka akati kumweya uya, “Ndinokuudza muzita raJesu Kristu kuti ubude maari.” Mweya uya wakabva wabuda pakarepo. Zvino varidzi vake pavakaona kuti chavaivimba nacho kuwana upfumi pakanga pasisina, vakabata Pauro naSirasi vakavakwekweredzera kuvatongi, kunzvimbo yaiungana vanhu veguta iroro. Pavakavaunza kuvatongi vakati: “Varume ava vaJudha uye vari kunyonganisa guta redu. Vari kukurudzira tsika dzisingagamuchiriki kana kuteverwa nesu vechiRoma.” Mhomho yavanhu yakabatana navo mukuvarwisa. Vatongi vaya vakabvarura hanzu dzavo vachidzibvisa pavari. Vakati ngavarohwe neshamhu. Pavakanga vavarova zvakanyanya, vakavaisa mujeri vachiti kune muchengeti wejeri anyatsovachengetedza kwazvo. Paakaudzwa izvi akavaisa mujeri romukatikati akavakachikira makumbo avo mumatanda. Pokunge pava pakati pousiku Pauro naSirasi vainge vachinamata vachikumbira vachiimbira Mwari dzimbo, vasungwa vachivateerera. Pakarepo pakave nokundengendeka kukuru zvokuti ugaro hweJeri hwakazunguzika. Pakarepo makonhi ose akazaruka. Majoti omunhu oga oga akabva asungunuka. Muchengeti wejeri paakamuka akaona kuti makonhi ejeri akanga akazaruka akazvomora bakatwa rake avakuda kuzviuraya achifunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka. Asi Pauro akadaidzira nezwi guru achiti, “Usazvikuvadze zvako nokuti isu tose tiri muno.” Akadaidzira kuti kuuiwe nemwenje, ndokumhanyira mukati. Akandowira pamberi paPauro naSirasi achidedera nokutya. Akavabudisa akati, “Varume chii chandingaite kuti ndiponeswe?” Ivo vakati, “Tenda muna Tenzi Jesu uchaponeswa iwe nemhuri yako.” Vakataura kwaari Shoko raTenzi nokune vose vaiva mumba make. Akavatora panguva iyoyo yousiku akavashambidza maronda avo. Iye akabva aombekwa pakarepo pamwechete nemhuri yake yose. Akakwira navo kumba kwake akavapa chokudya akafara kwazvo nemba yake yose kuti akanga atenda kuna Mwari. Pakwakanga kwaedza vatongi vakatuma mapurisa vachiti, “Regai vanhu vaya vaende zvavo.” Muchengeti wapajeri akasvitsa shoko kuna Pauro achiti, “Vatongi vatuma shoko rokuti muende zvenyu.” Saizvozvo chibudai muende zvenyu norugare. Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pazere vanhu, tisina kubatwa nemhosva, isu pamutemo, tiri vaRoma vakatiisa mujeri. Zvino vanoda kutiburitsa muchivande here?” Kwete, ngavatouya ivo pachavo vazotiburitsa. Mapurisa akasvitsa shoko iri kuna vatongi. Vakatya pavakanzwa kuti, pamutemo vanhu ava vaiva vaRoma. Vakauya vakakumbira ruregerero. Vakavaburitsa vakavakumbira kuti vabve muguta iroro. Nokudaro vakabuda mujeri vakashanyira Ridhia. Pavakanga vaona vehama vakavakurudzira vakabva vaenda. Vakati vapfuura nomuAmupfiporisi nokuAporonia vakasvika kuTesaronika kwaiva neSinagogu yavaJudha. Pauro akapindamo, setsika yake, akaitirana nharo navo kwamasvondo matatu achishandisa Magwaro Matsvene achitsanangura nokuratidza kuti zvaifanirwa kuti Kristu atambudzike uye kuti amuke muvakafa uye achiti Jesu wandinoparidza kwamuri ndiye Mesia iyeyu. Vamwe vavo vakazvibvuma vakabatana naPauro naSirasi sezvakangoitawo vazhinji vechiGiriki vaitya Mwari navadzimai vapamusoro vakawanda. Asi vaJudha vakaita shanje. Vakatora vanhu vakaipa mukati memaswerokuenda avanhu. Vakakokorodza mhomho vakanyandutsa guta iroro. Vakandorwisa mhuri yokwaJasoni vachida kuburitsa Pauro naSirasi kuvanhu. Pavakavashaya vakakwekweredza Jasoni navamwe vehama kuvakuru vakuru veguta vachidaidzira vachiti, “Varume ava vapidigura pasi pose, vauya kunowo. Jasoni avagamuchira uye vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaSiza vachiti kuno mumwe mambo anonzi Jesu.” Vanhu navakuruvakuru veguta zvakavatambudza. Pavakanga vatora mari yorubatso kubva kuna Jasoni nokuna vamwe, vakavaregera kuti vaende zvavo. Pakarepo vehama vakaendesa Pauro naSirasi nousiku kuBherea. Pavakasvikako vakaenda kuSinagogu yavaJudha. VaJudha voko vakanga vachinzwisisa kupinda vaya vokuTesaronika nokuti vakagamuchira shoko nomwoyo unoda kwazvo vachiongorora mazuva ose Magwaro Matsvene kuti zvinhu izvi ndizvo here. Vazhinji vavo vakatenda pamwechete navadzimai vechiGiriki vapamusoro vakawanda pamwechetewo navarume. VaJudha vokuTesaronika pavakanzwa kuti Shoko raMwari riri kuparidzwa kuBherea naPauro, vakaendawo ikoko kundomutsa manyongori nokunyandutsa vanhu. Pakarepo vehama vakabva vapinza Pauro munzira yokuenda kugungwa asi Sirasi naTimoti vakasarako. Vaya vakaperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene. Pavakaudzwa kuti Sairasi naTimoti vanofanira kuti vauye kwaari nokukurumidza, vakabva vaenda. Pauro paaivamirira kuAteni, akadzongodzwa mwoyo paakaona guta iroro rizere nezvifananidzo zvokunamata. Naizvozvo aikurukurirana musinagogu navaJudha navaitya Mwari. Mazuva ose, panzvimbo inoungana vanhu veguta iroro, aikurukura navainge vangouyawo ipapo. Vamwe vebato renyanzvi dzokufunga vechiEpikurieni nevechiSitoiki vakasangana naye. Vamwe vakati, “Ko iye mubvotomoki uyu arikuda kuti kudiiko?” Vamwewo vakati, “Anenge muparidzi wezvavamwari vasingaziikanwi,” nokuti aiparidza Jesu nokumuka muvakafa. Vakamutora vakaenda kuAriopagusi vachiti, “Tingade kuziva kuti chidzidziso chitsva ichi chaunopa ndechei? Nokuti tiri kukunzwa nenzeve dzedu uchitaura zvisina akambonzwa. Nezvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvozvi zvinorevei.” Vanhu vomuAtene vose nevechirudzi vaigaramo vaipedzera nguva yavo vachitaura nokunzwa zvinhu zvitsva. Nokudaro Pauro akamira pakati peAriopagusi akati, “Varume veAteni ndinoona kuti muzvinhu zvose muri vanamati nokuti zvandafamba neguta ndikaona zvinhu zvamunonamata ndawana imwe atari yakanyorwa kunzi, ‘KUNA MWARI ASINGAZIIKANWI.’ Chamuri kunamata musingazivi ichocho ndicho chandiri kukuparidzai chokuti, ‘Mwari iyeyo ndiye akasika nyika nezvose zvirimo. Ndiye Tenzi wedenga napasi. Haagari muTemberi dzakavakwa navanhu. Haashandirwi namaoko avanhu sokunge ane chimwe chaanoshaya nokuti ndiye anotopa vanhu vose upenyu nemweya wavanofema nawo nezvinhu zvose. Akaita marudzi ose avanhu kubva kumunhu mumwechete kuti vagare pasi pose. Akatema mwaka nemiganho nenyika dzavanogara, uye kuti vatsvage Mwari nechitarisiro chokuti vangangomutsvanzvadzira vagomuwana asi iye haasiri kure kwomumwe nomumwe wedu.’ “Chiripo ndechokuti, ‘Upenyu hwedu huri maari kuti tifambe ndiye uye kuti tivepo ndiye,’ sokutaura kwavanyori venyu venhetembo vachiti, ‘Zvechokwadi tiri vana vake.’ Zvatiri vana vake hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana nendarama kana sirivha kana ibwe zvinongova chifananidzo chakaitwa noumhizha kana zvinongofungwawo navanhu. Nguva dzokusaziva dziya, Mwari haana hanya nadzo. Asi iye zvino anoti munhu wose, kose kose zvako, anofanira kupinduka, pamusana pokuti akatema zuva raachatonga pasi pose noruenzaniso uye nokumunhu waakasarudza. Izvi zvakasimbisiswa kuna vanhu vose nokumumutswa kwaakaita kuvakafa.” Pavakanzwa nezvokumuka kwavafi, vamwe vakashora vamwewo vakati tichada kukunzwazve uchitaura nezvezvizvi. Zvadaro Pauro akabva mukati mavo. Asi vamwe varume vakabatana naye vakatenda. Mumwe wacho ndiDhionisiusi webato reAreopagusi nomumwe mudzimai ainzi Dhamari navamwe vavaiva navo. Mushure mezvo akabva kuAteni akaenda kuKorinde. Akawana mumwe muJudha ainzi Akwira, mugari wokuPondusi, akanga achangobva kuItari, nomudzimai wake anonzi Pirisira, nokuti Kiraudiusi akanga ati vaJudha vose ngavabve muRoma. Saka akaenda kundovaona pamusana pokuti vaiva vebasa rimwechetero akagara akashanda navo nokuti aiita basa rimwechetero navo rokugadzira matendhe. Pasabata rimwe nerimwe aitaura musinagogu achikurudzira vaJudha navaGiriki. Pakasvika Sirasi naTimoti vachibva kuMasedhonia, Pauro aiva mubasa rokuparidza, achipupura kuvaJudha, kuti Mesia ndiJesu. Pavakapokana naye vachimunyomba akazunza hanzu dzake akati kwavari, “Ropa renyu ngarikupfukirei! Ini mhosva handisisina. Kubvira iye zvino ndavakuenda kune vechirudzi.” Akabvapo akaenda kumba komumwe ainzi Titosi Jusitusi munhu aitya Mwari. Imba yake yaiva pedyo nesinagogu. Kirisipusi mukuru wapasinagogu akatenda muna Tenzi pamwechete nemhuri yake. Vazhinji vomuKorinde pavakanzwa Pauro vakatenda vakaombekwa. Nohumwe usiku Tenzi akataura kuna Pauro muchiratidzo achiti, “Usatye zvako. Iwe taura chete, usanyarare nokuti ndinewe uye hapana munhu achakurwisa zvokukuvadza nokuti ndine vanhu vakawanda muguta rino.” Nezvo akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu achidzidzisa Shoko raMwari pakati pavo. Panguva yakanga Gario ari gavhuna weAkaya, vaJudha vakaita rimwe kurwisa Pauro. Vakamuunza kudare vachiti murume uyu anokurudzira vanhu kunamata Mwari zvisiri pamurao. Pauro paakanga ava kuda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Dai yanga iri mhosva kana kuti kutadza kwakaipisisa, ndaiwana chikonzero chokukuitirai mwoyo murefu, vaJudha imi. Zvino zvairi nyaya yokubvunza pamusoro pezvamazwi nezvamazita uye nezvomutemo wenyu, zvionerei pachenyu. Handidi kuva mutongi mune zvinhu izvi.” Akabva avadzinga mudare. Vose vakabata Sositeni mukuru wapasinagogu vakamurova pamberi pedare; asi Gario haana kuita hanya nazvo. Mushure mezvo Pauro akagara mamwe mazuva mazhinji ndokuzoonekana nevehama. Akazoenda kuSiria nechikepe pamwechete naPirisira naAkwira. KuKenikirie akaveura vhudzi rake nokuti akanga aita mhiko. Vakasvika kuEfesusi akavasiyako asi iye akamboenda musinagogu akataura kuvaJudha. Pavakamukumbira kuti ambogarazve, akaramba. Paakanga ava kuenda akati, “Ndichadzoka kwamuri kana Mwari achida. Akaenda nechikepe achibva kuEfesusi.” Paakasvika kuSezaria akakwira akandokwazisa sangano ndokuzodzika kuAndiyoku. Akati apedza chinguva ariko akasimuka akaenda munzvimbo nenzvimbo nomudunhu reGaratia nereFirigia achisimbisa vadzidzi vose. Mumwe muJudha ainzi Aporosi, mugari wokuArekizandiria akauya kuEfesusi. Akanga ari nyanzvi yokutaura, munhu akanga akadzidza kwazvo Magwaro Matsvene. Akanga akadzidziswa nzira yaTenzi uye nemwoyo wake wose aitaura nokudzidzisa nemazvo chaimo zvaJesu kunyange aiziva ruombeko rwaJohani chete. Akatangisa kutaura nechivindi musinagogu. Pirisira naAkwira pavakamunzwa vakamutora vakamutsanangurira nzira dzaMwari nemazvo chaimo. Paakada kuyambukira kuAkaya vehama vakamukurudzira vakatonyora kuna vadzidzi kuti vamugamuchire. Paakasvika, akabatsira kwazvo vakanga vatenda nenyasha dzaMwari nokuti akapwisa vaJudha pachena achiratidza naMagwaro Matsvene kuti Jesu ndiye Mesia. Aporosi paakanga ari kuKorinde, Pauro akapfuura nokunyika yokumusoro akasvika kuEfesusi. Ikoko akawana vamwe vadzidzi. Akavati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakadavira?” Ivo vakati, “Kwete. Hatina kana kutombonzwa kuti kuna Mweya Mutsvene.” Akavati, “Ko zvino makaombekwa noruombeko rwupi?” Ivo vakati, “Noruombeko rwaJohani.” Pauro akati, “Johani aiombeka noruombeko rwokuti vanhu vapinduke achitaurira vanhu kuti vatende muno uyo akanga achauya mushure make achireva Jesu.” Pavakanzwa izvi vakaombekwa muzita raTenzi Jesu. Pauro paakaisa maoko ake pavari, Mweya Mutsvene akaburukira pavari. Vakataura nendimi vakaporofita. Pamwechete vakanga vari varume gumi navaviri. Aipota achipinda musinagogu; kwemwedzi mitatu aitaura asingatyi achidzidzisa zvokuti vabvume zvoumambo hwaMwari. Asi vamwe vakanga vakaomesa mwoyo vasingatendi vakatotaura zvakaipa nezvenzira iyi pamberi peruzhinji. Akabva mukati mavo akatora vadzidzi akadzidzisa pachikoro chaTiranosi zuva nezuva, izvi zvakaitika kwamakore maviri zvokuti vagari vose vokuAsia vakanzwa Shoko raTenzi, vaJudha navaGiriki. Mwari akaita minana inoshamisa kwazvo namaoko aPauro zvokuti mahengechepfu kana maepuroni zvainge zvamboguma pamuviri pake zvaitorwa zvichiendwa nazvo kuvarwere. Matenda aibva, apera mweya yakaipa ichibva mavari. Kune vamwe vaJudha vaiva vadzingi vomweya yakaipa vakanga vasingagari panzvimbo imwechete, vakaedza kudoma zita raTenzi Jesu pane vakanga vane mweya yakaipa vachiti, “Ndinokudzinga naJesu anoparidzwa naPauro.” Kwaiva navanakomana vanomwe vomupristi mukuru ainzi Sikevha vaiita izvozvo. Asi mweya wakaipa wakapindura uchiti, “Jesu ndinomuziva naPauro ndinomuziva asi imi ndimi vana ani.” Munhu aiva nomweya wakaipa uya akavasvetukira akavakunda ndokuvakurira vose vari vaviri zvokuti vakatiza mumba imomo vasisina kupfeka uye vakuvara. Izvi zvakazivikanwa navagari vose vokuEfesusi, vose vaJudha navaGiriki. Vose vakawirwa nokutya. Zita raTenzi Jesu rikaremekedzwa. Vazhinji vaiva vatendi vakauya vachireurura nokuburitsa pachena zvavaiita. Chitsama chavanhu vaiita zvoun'anga vakaunganidza mabhuku avo vakaapisa pamberi pavanhu vose. Vakaverenga mutengo wawo ukaita zviuru makumi mashanu ezviuru zvemari yesirivha. Ipapo shoko raTenzi rakakura rikaenderera mberi nesimba. Mushure mezvizvi Pauro akafunga, achibatsirwa naMweya, kuti anofanira kupfuura nokuMasedhonia nokuAkaya achienda kuJerusaremu achiti, “Kana ndamboti garei ikoko ndinofanirawo kundoona Roma.” Mushure mokunge atumira kuMasedhonia vamwe vabatsiri vake vaviri, vanaTimoti naErasitusi iye pachake akambogara kuAsia chinguva. Panguva inenge iyoyo pakamuka nyonganyonga huru nezvenzira yechikristu. Mumwe murume ainzi Dhemetiriusi, mhizha yezvesirivha aiumba tuTemberi twesirivha tudikidiki twamwari Atemisi twaiwanisa mari yakawanda kune vaitwugadzira. Akaunganidza ivava pamwechete navamwe vebasa rakada kuita sairoro akati, “Varume imi munoziva kuti mubasa iri ndimo matinowana upfumi hwedu. Munozviona uye muri kuzvinzwa kuti kwete muEfesusi chete asi kutenge Asia yose, Pauro uyu ari kukurudzira nokutsautsa vanhu vane chitsama chakati kuti, achiti, ‘Vamwari vakaitwa namaoko havasi vamwari.’ Pane njodzi, kwete chete, yokuti shawo yedu iyi ichatorwa sechinhu pasina asi kutiwo Temberi yamwarikadzi mukuru Atemisi, ichava chinhu pasina uyewo achakoromorwa paukuru hwake, iye anonamatwa neAsia yose uye napasi pose.” Pavakazvinzwa vakashatirwa zvikuru vakazhamba vachiti, “Atemisi wava Efeso mukuru.” Nokudaro guta rakazara nenyonganyonga. Vakapitipidzana munhandare yemitambo vachikwekweredza Gaiusi naArisitakusi, vagari vokuMasedhonia vaifamba naPauro. Pauro akanga ava kuda kupinda mukati memhomho iya asi vadzidzi vakaramba. Uyewo vamwe vakuru vakuru vomuAsia vaiva shamwari dzake vakatuma shoko rokuti ngaarege kana kumboedza zvake kupinda munhandare yemitambo. Paiti ava vanodaidzira ichi vamwe vachidaidzirawo ichi nokuti gungano iroro rakanga rangova nyonganyonga. Vazhinji vavo vakanga vasingamboziva kuti vakanga vaunganira chii. Vamwe vemhomho iyoyo vakataurira Arekizanda zvokuita nokuti ndiye akanga aiswa mberi navaJudha. Arekizanda akabva aninira vanhu noruoko achida kuzvidavirira kumhomho iyoyo. Pavakaona kuti muJudha, vakaramba vachidaidzira kwamaawa maviri vachiti, “Dhayana wavaEfeso mukuru.” Munyori weguta paakanga anyararidza vanhu akati, “Nhaimi vanhu veEfesusi ndiani asingazivi kuti guta ravaEfesusi ndiro muchengeti wetemberi yaAtemisi mukuru mukuru uye muchengeti wedombo dzvene rakadonha mudenga? Zvamunoona kuti zvinhu izvi hazvina angarambe munofanira kunyarara murege kumhanyirira zvinhu. Mauya navanhu ava asi havasi vapambi veTemberi kana vanhu vanoshonha mwarikadzi wedu. Zvino kana Dhemetiriusi nedzimwe mhizha dzaanadzo vaine chavakatadzirwa nani zvake, matare ariko uye kuna magavhuna. Ngavakwirirane matare. Kana pane zvinopfuura izvozvi zvinotofanira kuenzaniswa nedare riri pamutemo. Tine njodzi yokupihwa mhosva yokumutsa manyongori nhasi nokuti hapana chikonzero chatinogona kupa chinonzwika chenyonganyonga iyi.” Paakapedza kutaura izvi akaparadza ngungano. Mhirizhonga iyi payakapera, Pauro akadaidza vadzidzi akavakurudzira ndokuvaoneka oenda kuMasedhonia. Akapfuura nomunzvimbo idzi achivakurudzira akazosvika kuGirisi, kwaakagara mwedzi mitatu. Pamusana pokuti pakaitwa bangano navaJudha rokumurwisa, panguva yaakanga ava kuda kuenda nechikepe kuSiria, akafunga zvokudzokera nokuMasedhonia. Akaperekedzwa naSopeta wokuBherea, mwanakomana waPirusi, kune vokuTesaronika akaperekedzwa naArisitakusi naSekundusi naGayusi wokuDhebhe naTimoti. VokuAsia vakanga vari Tikikusi naTirofimusi. Ava vakafanotungamira vakatimirira kuTiroasi. Isu takafamba nechikepe kuenda Firipi mushure memazuva echingwa chisina mbiriso. Pashure pamazuva mashanu takasvika kwavari kuTiroasi kwatakagara kwamazuva manomwe. Pazuva rokutanga revhiki, patainge takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataura navo achida kuzosimuka mangwana acho. Akarebesa nhauro yake kusvikira pakati pousiku. Makanga muine mwenje yakawanda muimba yapamusoro matakanga takaungana. Rimwe jaya rainzi Yutikusi rakanga rakagara pawindo, rakabatwa nehope zvikuru Pauro paakaramba achingotaura. Paakakundwa nehope akaputsikira pasi kubva panhurikidzwa yechitatu vakazomutora iye atofa. Pauro akadzika akakotamira paari akamugumbatira akati, “Musazvinetse zvenyu achiri mupenyu.” Pauro akakwirazve kuimba yokumusoro akamedura chingwa akadya akataura kusvika kunze kwachena. Vakatora mukomana voenda naye ari mupenyu zvikavanyaradza zvikuru. Takafanotungamira kuchikepe tikazosimuka nechikepe tichienda kuAsosi tichida kuzotora Pauro muchikepe ikoko, nokuti ndizvo zvaakanga aronga, iye achida kuenda netsoka. Paakasangana nesu kuAsosi, takamukwidza muchikepe tikaenda kuNitirene. Takabvapo nechikepe. Mangwana acho takasvika pakatarisana neKiosi. Ramangwana acho takapfuura napaSamosi. Ramangwanawo tikasvika kuMiretusi nokuti Pauro akanga afunga kuenda nechikepe achipfuura nokuEfesusi kuti arege kupedza nguva ari kuAsia nokukurumidzira kuva kuJerusaremu, kana zvaigoneka pazuva rePendekosti. Pauro, ari kuMiretusi akatumira nhume kuEfesusi kundodaidza vakuru vakuru vesangano. Pavakasvika kwaari akavati, “Imi pachenyu munoziva kuti ndakagara sei pakati penyu nguva dzose kubvira zuva randakatanga kusvika muAsia, ndichishandira Tenzi nokuzvidukupisa nemisodzi padama nemiedzo zvakandiwira pamusana pamabangano avaJudha. Handina kumbozeza kukutaurirai pachena chose chakanga chiine basa ndichikudzidzisai zviri pachena imba nemba ndichipa uchapupu kuna vaJudha nokuna vaGiriki nezvokutendeukira kuna Mwari uye nezvechitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu. Zvino, chionai ndavakuenda kuJerusaremu ndakabatwa naMweya. Handizivi zvichandiwira ikoko, kusiya kuti Mweya Mutsvene anondiyambira mumaguta ose kuti jeri nenhamo zvakandimirira; asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira Shoko Rakanaka renyasha dzaMwari. Zvino, chinzwai, ini ndinoziva kuti imi vandakafamba mukati mavo ndichiparidza umambo uhu, hamuchazoona chiso changu zvakare. Nezvo ndinotaura pachena kwamuri mose nhasi uno kuti ini mhosva handisisina, wafa wafa, wasara wasara nokuti handina kuteta kukutaurirai pachena zvirongwa zvose zvaMwari. Zvingwarirei imi pachenyu nedanga rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene kuti muchengete sangano raMwari raakawana neropa roMwanakomana wake pachake. Ndinoziva kuti mushure mokuenda kwangu mhumhi dzinorura dzichauya pakati penyu dzisina tsitsi nokuuraya danga. Kunyange mukati menyu iyemi muchamuka varume vachataura zvakatsauka kuti vakwezvere vadzidzi kwavari. Naizvozvo chenjerai muchiyeuka kuti kwamakore matatu handina kumbomira siku nesikati, kukupai mazano mumwe nomumwe nemisodzi padama. Zvino ndinokukumikidzai kuna Mwari uye kuShoko renyasha dzake rinokwanisa kukuvakai nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene. Handina kuchiva sirivha kana ndarama kana hanzu dzomunhu. Imi pachenyu munozviziva kuti maoko aya ndiwo aindishandira pane zvandaida nezvaidikanwa navandaiva navo. Ndakakuratidzai, muna zvose, kuti nokushingaira kudaro munhu anofanira kubatsira vakarukutika, tichiyeuka mazwi aTenzi Jesu zvaakataura achiti, ‘Chikomborero chikuru kupa pane kugamuchira.’ ” Paakapedza kutaura izvi akapfugama akanamata navo vose. Vose vakachema vakambundikirana naPauro vakamutsvoda. Vaisuwiswa zvikuru nezwi raakanga ataura rokuti, “Havachazoona uso hwake zvakare.” Vakamuperekedza kuchikepe. Patakanga taparadzana navo tava kuenda nechikepe takangoti tasa kuenda kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRodzi. Patakabvako takaenda kuPatara. Patakawana chikepe chaiyambukira kuFonisia takachikwira tikaenda. Patakasvika pokunge tava kuona Saipurasi takaisiya kuruboshwe toenda kuSiria tikamira paTire nokuti ipapo chikepe chaifanira kututunura zvachainge chakatakura. Patakatsvaka tikawana vadzidzi, takagarapo mazuva manomwe. Vaina Mweya Mutsvene, vakataurira Pauro kuti arege kunge achaenda kuJerusaremu. Pakapera mazuva edu ikoko, takasimuka tikaenda murwendo rwedu. Vakatiperekedza vose namadzimai avo navana kusvikira kunze kweguta. Takapfugama pamahombekombe egungwa tikanamata ndokuonekana. Takazokwira muchikepe, ivo ndokubva vadzokera kumba. Rwendo rwedu rwokubva kuTire rwakapera nokusvika kwatakaita kuToremaisi. Takakwazisa vehama tikagara navo zuva rimwechete. Ramangwana takasimuka tikasvika kuSezaria tikanopinda mumba maFiripi, muparidzi aiva mumwe wavanomwe vaya, tikagara naye. Akanga ane vanasikana vana vasina kuroorwa vaiporofita. Patakamboti garei kwamazuva akati kuti, mumwe muporofita anonzi Agabhusi akadzika achibva kuJudhea. Paakauya kwatiri akatora bhande raPauro akazvisunga makumbo namaoko akati zvanzi naMweya Mutsvene, “Ndiko kusungwa kuchaitwa, navaJudha vokuJerusaremu, muridzi webhande iri vachizomuturira mumaoko evechirudzi.” Patakanzwa izvi, isu pamwechete navanhu vaivapo takamukumbira kuti arege kukwira kuJerusaremu Pauro akapindura achiti, “Ko muri kuiteiko, kuchema muchindibaya mwoyo kudai. Inga wani ndakatogadzirira, kwete chete kusungwa, asi kana kutofira zita raTenzi Jesu kuJerusaremu.” Paakaramba kudzoreka, takarega kutaura tikati, “Kuda kwaTenzi ngakuitwe.” Mushure memazuva iwaya takagadzirira tikakwira kuJerusaremu. Vamwe vadzidzi vokuSezaria vakaenda nesu. Vakatisvitsa kumba kwaMunasoni wekuSaipurasi mudzidzi wapakutanga chaipo ane kumba kwataifanira kundogara. Patakasvika kuJerusaremu vehama vakatigamuchira nomufaro. Pazuva rakatevera Pauro akaenda nesu kuna Jemusi uye vakuru vakuru vose vakanga varipo. Pashure pokuvakwazisa akavarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu zvakaitwa naMwari pakati pevechirudzi nomubasa rake iye Pauro. Pavakazvinzwa vakarumbidza Mwari. Vakamuti, “Unoona here nhai hama, kuti zviuru zvingani pakati pavaJudha vakatenda, vane shungu noMutemo. Vakataurirwa nezvako zvokuti uri kudzidzisa vaJudha vose vari pakati pevechirudzi kuti vafuratire Mosesi, uchivaudza kuti vasadzingise vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. Zvino zvoitwa sei? Vachazvinzwa kuti wakauya. Iwe chiita zvatinokuudza. Tine varume vana vakaita mhiko! Tora varume ivavo uzvichenure pamwechete navo uvabhadharire kuti vaveure musoro vose. Vanobva vaziva kuti zvavanga vachitaurirwa nezvako hapana zviripo asi kuti iwe pachako muupenyu hwako unochengeta mutemo. Asi kune vechirudzi, vakadavira, takavatumira tsamba ine zvatakatema zvokuti vasiyane nezvinhu zvakabairwa zvifananidzo zvokunamata, varege musiya nenyama isina kusinzwa noupombwe.” Pauro akatora varume vaya. Zuva rakatevera akazvichenura pamwechete navarume vaya akapinda muTemberi kundotaura kuti mazuva okuzvichenura kwavo anopera rini nechibayiro chinopirirwa mumwe nomumwe wavo. Mazuva manomwe paakanga ava kuda kundopera, vaJudha vanobva kuAsia vakanga vamuona muTemberi vakanyandutsa mhomho yavanhu vakamubata vachidaidzira vachiti, “Varume, vaIsiraeri, uyai tibatsirane uyu ndiye murume ari kudzidzisa vanhu kose kose zvinorwisana navanhu vedu uye zvinorwisana nomutemo wedu nezvinorwisana nenzvimbo ino. Chimwezve ndechokuti akaunza vaGiriki muTemberi uye akan'oresa nzvimbo ino tsvene.” Vakanga vamboona Tirofimusi muEfeso ainaye muguta, nezvo vakangofunga kuti Pauro akanga amuunza muTemberi. Guta rose rakanyanduka vanhu ndokubva vati unga unga kuungana. Vakabata Pauro vakamukwekwereretsera kunze kweTemberi. Pakarepo misuo mikuru yakabva yazarirwa. Pavakanga vachiedza kumuuraya shoko rakasvika kumukuru mukuru webato ramasoja rokuti Jerusaremu yose yangova nyonganyonga. Pakarepo akabva atora masoja navatungamiri vezana akamhanya kwavari. Pavakaona mukuru mukuru namasoja vakaregedza kurova Pauro. Mukuru mukuru wamasoja uya paakasvika pedyo akamusunga akati anofanira kusungwa necheni mbiri. Akabvunza kuti ndiani uye kuti aiitei. Vamwe mumhomho iyoyo, vaidaidzira vachiti, ava vanotaura izvi avawo vachitaurawo zvimwe. Zvaasina kukwanisa kuziva mamiriro ezvinhu pamusana pemhirizhonga iyi akati ngaaendeswe munzvimbo inogara masoja. Paakasvika pamadanho okupinda mumba akatoita zvokutotakurwa kwazvo namasoja nokuda kwechisimba chakanga choitwa nebvakapfaka riya nokuti mhomho yakanga yotevera ichiti, “Pasi naye.” Pauro paakanga ava kuda kupinzwa munogara masoja akati kuna mukuru wamasoja, “Ndingataurewo here zvangu nemi.” Mukuru wamasoja akati, “Unoziva chiGiriki here? Hausiwe here muIjipiti uya akamutsa chimurenga mazuva ano achangopfuura aya akatungamirira varume zviuru zvina zvemhondi kurenje?” Pauro akapindura achiti, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasusi kuSirisia, mugari weguta rinozivikanwa. Ndinokutetererai kuti mundibvumirewo kuti nditaure kuvanhu.” Paakamubvumira, Pauro akaninira ruoko kuvanhu amire pamasitepisi enzvimbo iyoyo. Pakwakanyararwa kuti mwi — i akataura nomutauro wechiHebheru achiti: “Varume hama, nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwandinoita pamberi penyu.” Pavakanzwa kuti aitaura kwavari nechiHebheru vakabva vatonyarara zvikuru. Iye akati, “Ini ndiri muJudha ndakaberekerwa kuTasusi kuSirisia. Asi ndakarerwa muguta rino ndiri mumaoko aGamarieri ndikanyatsodzidziswa kuchengeta nemazvo chaimo mutemo wamadzibaba edu ndiine shungu naMwari sezvamakangoitawo imi nhasi uno. Ndakatambudza venzira iyi kusvika parufu ndichisunga ndichiuisa mujeri varume nevakadzi zvingatopupurirwawo nomupristi mukuru nedare ravakuru vakuru. Ndakatopihwa matsamba navo kune vehama. Ndaienda kuDhamasikusi kuti ndinotora vakanga variko ndichivauisa vakasungwa kuJerusaremu kuti vazorangwa. “Pandakanga ndiri parwendo rwangu, ndavakusvika kuDhamasikusi, kumasikati — sikati, chiedza chikuru chakabva kudenga chikandipoteredza nokupenya kwacho. Ndakawira pasi ndikanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Sauro Sauro uri kunditambudzireiko.’ Ini ndakapindura ndichiti, ‘Ndimi aniko Tenzi?’ Iye akati kwandiri, ‘Ndini Jesu weNazareti wauri kutambudza.’ Zvino avo vakanga vaneni vakaona chiedza asi havana kunzwa izwi rewakanga achitaura kwandiri. Ndakati, ‘Ko ndoiteko Tenzi?’ Tenzi akati kwandiri, ‘Chisimuka uende muDhamasikusi. Imomo uchataurirwa zvose zvawakarongerwa kuti uite.’ Sezvandakanga ndisisaone pamusana pokupenya hwechiedza chiya, ndakatoita zvokubatwa ruoko ndichitungamirirwa navandaiva navo ndikapinda muDhamasikusi. “Mumwe munhu anonzi Ananiya, munamati chaiye waMwari maererano nomutemo, aitaurwa zvakanaka nezvake navaJudha vose vaigara ikoko. Akauya kwandiri akasvikomira pandiri akanditi, ‘Hama Sauro chikwanisa kuonazve.’ ” Ndakabva ndava kuona, ndikamuonawo. Iye akati, “Mwari wamadzibaba edu akakusarudza kuti uzive zvaanoda, uye kuti uone Mururami uyewo kuti unzwe izwi rinobva mumuromo make nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vose uchipupurira zvawaona nezvawanzwa. Pane chaungamirire here?” Chisimuka uombekwe ushambidzwe zvitadzo uchidaidza zita rake. “Pandakadzokera kuJerusaremu, pandainamata muTemberi ndava muMweya, ndakaona Tenzi achiti kwandiri, ‘Kurumidza ubude muJerusaremu nokukasika nokuti havasikuzogamuchira umboo hwako nezvangu.’ ” Ini ndakati, “Tenzi ivo pachavo vanoziva kuti musinagogu yoga yoga ndaiisa vanhu mujeri ndichirova vaitenda mamuri. Ropa raSitefani chapupu chenyu parakadeurwa ndakanga ndimire pedyo ndichitowirirana nazvo uye ndichitochengeta hanzu dzevakanga vachimuuraya.” Iye akanditi, “Chibva nokuti ndichakutumira kure kure kune vechirudzi.” Kusvikira ipapa vakamuteerera vakazodaidzira vachiti, “Panyika pano, pasi nomunhu wakadai, nokuti haafaniri kurarama.” Pavaidaidzira vachivheyesa hanzu dzavo vachitibura huruva, mukuru mukuru wamasoja akati ngaauiswe munzvimbo inogara masoja vamurove kwazvo kuti vaongorore vaone chikonzero chokuti vaJudha vazhambe kwaari zvakadaro. Pavakanga vamusunga netambo, Pauro akati kumutungamiri wezana ramasoja akanga amire pedyo, “Zviri pamutemo here kuti imi murove munhu muRoma musina kumubata nemhosva.” Mutungamiri wezana paakazvinzwa akaenda kumukuru mukuru wamasoja uya akati kwaari, “Ko chii chamuri kuda kuita ichi. Munhu uyu muRoma.” Ipapo mukuru mukuru wamasoja akauya akati kwaari, “Ndiudze, uri muRoma here?” Iye akati, “Hongu.” Mukuru mukuru wamasoja akati, “Ndakatenga uRoma ihwohwo nemari yakawanda kwazvo.” Pauro akati, “Asi ini ndakaberekwa ndiine uRoma ihwohwo.” Nokudaro vaya vakanga vachida kumuongorora vakabva paari pakarepo. Naiyewo mukuru mukuru wamasoja akanga avakutotyawo nokuti akanga azviziva kuti Pauro akanga ari muRoma uye kuti akanga amusunga kwazvo. Mangwana acho mukuru mukuru wamasoja zvaaida kuziva chikonzero chaicho vaJudha chavaimupira mhosva akamusunungura akati, vapristi namakurukota ose edare aungane ndokuenda naPauro ondomuisa pamberi pavo. Pauro akanyatsotarisana nedare akati, “Hama ndakagara nehana yakachena pamberi paMwari kusvikira pari nhasi.” Mupristi mukuru Ananiya akati kune vakanga vamire pedyo naye vamurove pamuromo. Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro zvacho chadzururwa kuchena nesuko. Ndozvawakagarira ipapo kuti unditonge zviri pamutemo asi uchityora mutemo nhai? Uri kuti ndinofanira kurohwa.” Vakanga vamire padyo naye vakati, “Unoda kushora mupristi mukuru waMwari here?” Pauro akati, “Handina kuziva, hama dzangu, kuti mupristi mukuru nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Haufaniri kutaura zvakaipa nezvemutongi wavanhu vako.’ ” Pauro, paakaona kuti chimwe chikamu chaiva chiri chavaSadhusei, chimwe chiri chavaFarisei akadaidzira mudare achiti, “Varume hama ini ndiri muFarisei, mwana womuFarisei. Ini ndiri kupinzirwa dare pamusana pechitarisiro uye kumuka kwavakafa.” Paakataura izvi pakabva pava nokupesana pakati pavaFarisei navaSadhusei. Musangano wakabva wakamukana. Chiripo ndechokuti, vaSadhusei vanoti zvokumuka kwavafi hapana kana mutumwa kana mweya asi vaFarisei vanoti zvose izvozvo zviriko. Pakabva pamuka bopoto guru. Dzimwe nyanzvi dzomutemo webato ravaFarisei vakasimuka vachipikisa vachiti, “Hapana chatinoona chakaipa nomunhu uyu. Ko, zvichida mumwe mweya kana kuti mumwe mutumwa akataura naye!” Kupikisana uku zvakwakasvika pokuti bata wabata, mukuru mukuru wamasoja, nokutya kuti Pauro angangodamburwa damburwa navo, akati masoja adzike andomutora nechisimba pakati pavo vamuunze munzvimbo inogara masoja. Usiku hwakatevera, Tenzi akamira pedyo naPauro akati, “Tsunga mwoyo, nokuti sokundipupurira kwawaita muJerusaremu unofanira kundopupurawo kuRoma.” Pakwakachena vaJudha vakaita bangano vakazvisunga nemhiko yokuti havambodya kana kunwa kusvikira vatouraya Pauro. Vakaita bangano iri vaipfuura makumi mana. Vakaenda kuvaPristi vakuru navakuru vakuru vakati tanyatsozvisunga nemhiko kuti hatimbodyi kusvikira tauraya Pauro. Naizvozvo imi pamwe nedare taurirai mukuru mukuru wamasoja kuti amudzikise kwamuri sokunge munoda kunyatsotsvakisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Isu takagadzirira kumuuraya asati ambosvika pedyo. Zvino mwana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuhwandira kwavo. Nezvo akandopinda munzvimbo yaigara masoja akataurira Pauro. Pauro akadaidza mumwe wavatungamiri vezana akati, “Endai nejaya iri kumukuru mukuru wamasoja nokuti ane zvimwe zvaari kuda kumutaurira.” Naizvozvo akamutora akaenda naye kumukuru mukuru wamasoja uya akati, “Pauro musungwa uya andidana akandikumbira kuti ndiunze jaya iri kwamuri nokuti rine zvarinoda kutaura kwamuri.” Mukuru mukuru wamasoja akamubata ruoko akaenda naye parutivi omubvunza muchivande achiti, “Chii chaunoda kunditaurira.” Iye akati, “VaJudha varangana kuti vakukumbirei kuti mudzikise Pauro kudare mangwana sokunge vanoda kunyatsotsvagisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Asi imi musabvume nokuti kune vanhu vavo varume vanopfuura makumi mana vanenge vakamuhwandira vatozvisunga nemhiko yokuti havamboruma chinhu kana kunwa chinhu kusvikira vatouraya Pauro. Iye zvino vatogadzirira. Vangomirira chitsidzo chenyu.” Mukuru mukuru wamasoja akaendesa jaya riya achiriudza kuti risataurire kana munhu zvake kuti ramuudza izvozvi. Akadaidza vatungamiri vezana vaviri akati, “Paawa yechipfumbamwe mauro ano, gadzirirai masoja mazana maviri navarwi vanotasva mabhiza makumi manomwe navanorwa namapfumo mazana maviri vokuenda kuSezaria, muwanisewo Pauro mabhiza okutasva, mumusvitse zvakanaka kuna gavhuna Ferekisi. Akanyora tsamba sezvizvi: “Ini Kiraudiusi Risiasi, ndinokunyorerai imi vanoremekedzwa vaGavhunha Ferekisi ndichikukwazisai. Murume uyu akabatwa navaJudha akanga oda kutouraiwa navo. Pandakavasvikira namasoja ndakamununura ndikanzwa kuti muRoma. Pandainge ndichida kuziva mhosva yavaimupa ndakadzika naye kudare ravo. Ndakaona kuti vaimupa mhosva dzezvemutemo wavo asi hapana mhosva yavaimupa inokodzera rufu kana kuiswa mujeri. Pandakaziviswa kuti pane bangano rakaitirwa iye, ndabva ndamutumira kwamuri pakarepo ndichiudzawo vari kumupa mhosva kuti vataure pamberi penyu zvaakatadza.” Naizvozvo masoja, sokuudzwa kwavakanga vaitwa, vakaenda naye nousiku vakamusvitsa kuAndipatirisi. Mangwana acho vakadzokera kunzvimbo inogara masoja vosiya varwi vamabhisa kuti vaende naye mberi. Pavakasvika kuSezaria vasvitsa tsamba iya kuna Gavhuna vakaturira Pauro kwaari. Paakaverenga tsamba iya, akabvunza kuti anogara kudunhu ripi. Paakaziva kuti ndeweSirisia akati, “Ndichakunzwa kana vari kukupa mhosva vasvika.” Akati ngaachengetedzwe mumuzinda waHerodhi. Mushure memazuva mashanu, mupristi mukuru Ananiya akadzika navamwe vakuru vakuru nerimwe gweta rainzi Teturosi. Vakapira nyaya yavo kuna Gavhuna yokupomera Pauro. Paakadaidzwa, Teturosi akatangisa kumupa mhosva akati, “Changamire, vaFerekisi nenzira yokuti nokuda kwenyu tine rugare rukuru uye nokutichengeta kwenyu zvinhu zvizhinji zviri kunatsiridzwa kurudzi rwedu urwu. Nenzira dzose uye kose kose tinogamuchira izvi nokutenda kose. Asi kuti tirege kuramba tichikunonotsai ndinokukumbirai nomutsa wenyu kumbotiteererawo zvenyu muchidimbu. Takaona kuti munhu uyu mupesveri, anomutsa nyonganyonga pakati pavaJudha vose pasi pose uye inhungamiri yekaboka kavaNazarini. Akatomboedza kun'oresa Temberi asi takamubata. *** Nokumuongororawo muchizvinzwirawo imi pachenyu muchaziva kwaari mhosva dzose dzatiri kumupa.” VaJudha vakatsigira kumupa mhosva vachiti ndizvo chaizvo. Gavhuna paakamuninira kuti ataure, Pauro akapindura achiti, “Nokuziva kuti imi, kwamakore mazhinji manga muri mutongi werudzi urwu, ndinozvidzivirira ndichifara. Sezvinhu zvamungatotsvakawo, hakusati kwapera mazuva anopfuura gumi namaviri kubvira pandakaenda kundonamata kuJerusaremu. Havana kumbondiona ndichiitirana nharo naani zvake kana kunyandutsa mhomho yavanhu muTemberi kana mumasinagogu kana muguta. Uyewo havakwanisi kutaura zvingakugutsei kuratidza kuti zvavari kundipomera ndezvechokwadi. Asi izvi ndinobvuma pamuri, kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu ndichitevera nzira yekavari kuti kaboka. Ndinotenda zvose zvakatemwa nomutemo kana zvakanyorwa navaporofita. Ndine chitarisiro muna Mwari zvinobvumwa naivava kuti kuchava nokumuka kwavafi, vakarurama navakaipa. Saizvozvo ndinoedza kwazvo kuchengetedza hana yangu yakachena kuna Mwari nokuna vanhu. “Kwapera makore akati kuti, ndakauya kuzopa verudzi rwangu zvipo zvomwoyochena wavamwe nemipiro. Pandaiita izvi, vakandiwana muTemberi ndichipedzisa zvokuzvichenura, pasina chikwata chavanhu kana nyonganyonga. Asi vamwe vaJudha vanobva kuAsia, ivavo vaifanira kunge vari pano pamberi penyu vachikupirai mhosva dzacho dzavanondipomera kana vanadzo. Kana kuti varume vari pano ava pachavo, vataure kuti zvandakaita zvakaipa zvavakawana pandakamira pamberi pedare ndezvipi kusiya izvi zvandakadaidzira ndakamira mukati mavo zvokuti ndakati, ‘Ndiri kupinzirwa dare pamusoro pezvokumuka kwavakafa pamberi penyu nhasi uno.’ ” Asi Ferekisi, munhu akanga achiziva zvinhu zvizhinji nezveNzira yechikristu, akamisa dare achiti, “Kana Risiasi, mukuru mukuru wamasoja adzika kuno ndipo pandichapedzisa nyaya yako.” Ipapo akaudza mutungamiri wezana kuti Pauro anofanira kuchengetedzwa ari muusungwa asi aine rusununguko rwakati kuti uye kuti hapana shamwari dzake dzinorambidzwa kumuwanisa zvinomubatsira kurarama. Mushure memazuva akati kuti, Ferekisi akauya nomudzimai wake, Dhurusira akanga ari muJudha. Akadaidza Pauro akamunzwa achitaura nezvechitendero muna Kristu Jesu. Pauro paairondedzera nezvoruenzaniso nezvokuzvibata nezvokutongwa kuchauya, Ferekisi zvakamutyisa akati parizvino chimboenda zvako kana ndawana nguva ndichazokudaidza. Panguva imwecheteyo aitarisira kupiwa pfumbamuromo naPauro, saka aimudaidza kakawanda achitaura naye. Kuzoti makore maviri apera Ferekisi akatsiviwa naPokiusi Fesitusi. Pamusana pokuda kufadza vaJudha Ferekisi akasiya Pauro ari mujeri. Fesitusi paakauya kudunhu rake mushure memazuva matatu akakwira kuJerusaremu achibva kuSezaria. Vapristi vakuru navakuru vakuru vaVaJudha vakamuzivisa nezvemhosva yavaipa Pauro. Vakamukumbirisa, kuti avaitire mutsa wokuti, Pauro aunzwe kuJerusaremu ivo vaine bangano rokumuhwandira kuti vamuuraye panzira. Fesitusi akapindura achiti, “Pauro ari kuchengetedzwa kuSezaria uye kuti iye Fesitusi pachakewo aitoda kuendako mushure mechinguvana.” Iye akati, “Naizvozvo regai varume vane ukuru pakati penyu vadzike pamwechete neni uye kana pane chakaipa nomunhu uyu mutaure mhosva yaanayo.” Akati garei mazuva asingapfuuri masere kana gumi, akadzika kuSezaria. Ramangwana acho agara pachigaro chake chokutonga akati Pauro aunzwe. Paakauya, vaJudha vakanga vadzika vachibva kuJerusaremu vakamukomba vachimupomera mhosva zhinji dzakaipisisa dzavakanga vasingagoni kuburitsa chokwadi chadzo. Pauro, achizvidzivirira, akati, “Handina kana kutyora mutemo wavaJudha kana weTemberi kana kutadzira Siza.” Pamusana pokuda kufadza vaJudha akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusaremu kundotongwa nemhosva dzamhan'arwa kwandiri idzi?” Pauro akati, “Ndimire mudare raSiza kwandinofanira kutongwa. Handina kutadzira vaJudha, sokunyatsozviziva kwamunoita. Kana ndiri munhu akakanganisa uye ndakapara mhosva ipi neipi zvayo inokodzera kuti ndife handisi kuda kutsvaga kupunyuka rufu asi pane zvavari kundimhan'arira kana pasina mhosva hapana angakwanise kunditurira mumaoko avo. Ini ndinoda kuti mhosva yangu ichisvitswa kuna Siza.” Ipapo, Fesitusi, mushure mokunge ambobvunzawo makurukota ake akapindura achiti, “Wakumbira kuti mhosva yako isvitswe kuna Siza, kuna Siza ndiko kwauchaenda.” Kwakati kwapera mamwe mazuva mambo Agiripa akauya naBhenisi kuSezaria kuzogamuchira Fesitusi. Sezvavakagara mazuva mazhinji, Fesitusi akapira mhosva yaPauro pana mambo achiti, “Pane murume akasiiwa ari muusungwa naFerekisi. Zvino pandaiva kuJerusaremu vaPristi vakuru navakuru vakuru vavaJudha vakandizivisa nezvake vachikumbira kuti ndimutonge. Ndakavapindura kuti haisiri tsika yavaRoma kuturira munhu kuti arangwe asati atongesana vakatarisana navakamumhan'arira achiwaniswa nguva yokuzvidavirira nezvemhosva yaanenge achipiwa. Naizvozvo pavakaungana kuno handina kunonoka asi kuti pazuva rakatevera ndakagara pachigaro changu chokutonga ndikati murume wacho auiswe. Vamhan'ari pavakasimuka havana kuunza mhosva panyaya iyi dzine uipi hwandaifunga asi vaiva nezvimwe zvavaikakavadzana nezvechitendero chavo uye nezvaJesu akafa anonzi naPauro mupenyu. Pandakazvishaira pazvo kuti ndobvunza ndichiti kudini, ndakamubvunza kuti angade here kuenda kuJerusaremu kuti andotongwa nezvezvinhu izvi. Pauro paakakumbira kuti achengetwe ari muusungwa kusvikira nyaya yake yapedzwa naSiza ndakati achengetwe kusvikira ndamutumira kuna Siza.” Agiripa akati kuna Fesetusi, “Ndingade ini pachangu kunzwa murume uyu.” Iye akati, “Muchamunzwa mangwana.” Pazuva ramangwana acho Agiripa naBhenisi vakauya vakashongashonga kwazvo. Vakapinda mumba yedare redzimhosva pamwechete navakuru vakuru vemuhondo navakuru vakuru vomuguta. Pauro akaunzwamo zvataurwa naFesitusi kuti aunzwe. Fesitusi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano. Tarisai muone munhu uyu wandakakumbirwa navanhu vose vechiJudha vari Jerusaremu navari kuno vachitodaidzira kuti haambofanira kuramba ari mupenyu. Asi ndakaona kuti hapana chaakaita chinokodzera rufu, uye sokukumbira kwaakaita iye pachake kuti mhosva yake isvitswe pana Mambo mukuru, ndakafunga zvokumutumira ikoko. Asi ini handina chinhu chaicho chokunyora nezvake kuna tenzi wangu. Ndiko kusaka ndamuunza pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu imi mambo Agiripa kuti mushure mokunge tamuongorora ndiwane chokunyora nokuti kwandiri zvinhu zvisina musoro kuti nditumire musungwa ndisina kureva mhosva dzaari kupiwa.” Agiripa akati kuna Pauro, “Unobvumirwa kuzvitaurira.” Pauro akasimudza ruoko rwake akazvidavirira. “Ndinofunga kuti ndine mhanza yakanaka kuti ndizvidavirire nhasi pamberi penyu, imi mambo Agiripa, pane zvose zvandinopomerwa navaJudha nokuti imi munonyatsoziva tsika namakakatanwa anoitwa navaJudha, saka ndinokukumbirai kuti munditeererewo nemwoyo murefu. “VaJudha vose vanoziva mugariro wangu kubvira pahwana huduku hwangu uye upenyu hwandakagara kubvira pakutanga mukati merudzi rwangu muJerusaremu. Vanondiziva kwenguva ndefu, kana vachida zvavo kuzvipupura, kuti ndakagara somuFarisei, bato rinochengetedza zvechitendero chedu nemazvo chaimo. Zvino ndiri pano ndichitongerwa chitarisiro munezvakatsidzirwa madzitateguru edu naMwari Mambo, zviri kutarisirwa kuwanika namadzinza edu gumi namaviri pavanonamata nemwoyo wose siku nesikati, chitarisiro ichocho ndicho chandiri kupirwa mhosva navaJudha. Sei muchizviona sechinhu chisingagoneki kuti Mwari anomutsa vakafa. “Iniwo pachangu ndaiva nechokwadi chaicho kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvokurwisa zita raJesu weNazareti. Izvi ndakazviita muJerusaremu. Handina kungozaririra vazhinji vavasarudzwi vaMwari mumajeri ndichishandisa simba randakapiwa navapristi vakuru asi kuti pavaiuraiwa ndairatidza kuwirirana navo. Ndakavaranga kakawanda mumasinagogu ose uye ndakaedza kuti vashonhe Mwari. Ndaivatambudza ndiine hasha dzisingatauriki kusvika kumaguta okunze kwenyika. Ndizvo zvakaita kuti ndiende kuDhamasikusi ndapiwa navapristi vakuru simba nebasa rokuita izvozvo. Zuva rava kurova panhongonya, mambo, ndakaona panzira chiedza chakabva kudenga chichipenya kupinda zuva. Chakapenya chakanditenderedza ini navandaifamba navo. Patakawira pasi tose ndakanzwa izwi richitaura kwandiri mumutauro wechiHebheru richiti, ‘Sauro Sauro uri kunditambudzirei. Zvinokurwadza kupfanha negumbo shamhu.’ Ndakati, ‘Ndimi aniko Tenzi?’ Tenzi akati, ‘Ndini Jesu wauri kutambudza. Asi chisimuka umire namakumbo ako, nokuti izvi ndizvo zvandazviratidzira kwauri kuti ndikusarudze ushande uye kuti uve chapupu chezvawandiona ndiri uye mune zvandicharatidza kwauri ndichikununura kuvanhu nekune vechirudzi vandichakutumira kwavari kuti uzarure maziso avo vatendeuke kubva murima vachienda muchiedza uye kubva mumaoko aSatani vachienda mumaoko aMwari kuti vawane kuregererwa kwezvitadzo zvavo uye vawane nzvimbo mukati mevavo vakasarudzwa pamusana pechitendero chavo mandiri.’ “Saizvozvo, Mambo Agiripa handairamba kuteerera chiratidzo ichocho chokudenga asi ndakatanga kuzivisa vari kuDhamasikusi tevere vokuJerusaremu ndokuzouyawo nyika yose yeJudhea nokune vechirudzi kuti vanofanira kupinduka vadzokere kuna Mwari vaite zvinowirirana nokutendeuka kwavo. Pamusana paizvozvi vaJudha vakandibata muTemberi vakaedza kundiuraya. Kusvikira pari nhasi ndakabatsirwa naMwari. Saizvozvo ndimire pano ndichipupura kuvaduku nokuvakuru pasina chimwe chandinotaura kunze kwezvakataurwa navaporofita naMosesi kuti zvichaitika zvokuti Mesia anofanira kutambudzika achiva iye wokutanga kumuka muvafi achizoparidza nazvo chiedza kuvanhu nokune vechirudzi.” Ipapa Pauro achizvidavirira, Fesitusi akadaidzira nezwi guru achiti, “Iwe Pauro wavakupenga iwe. Kudzidza kwako ndiko kwava kukupengesa iwe.” Pauro akati, “Handisi kupenga, changamire vanoremekedzwa vaFesitusi. Ndiri kutaura chokwadi nepfungwa dzakakwana nokuti mambo vanoziva zvinhu izvi uye ndinotaura kwavari ndakasununguka ndinonyatsoziva kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chaasina kuona nokuti hazvina kuitirwa pachikona. Nhai imi, Mambo Agiripa munotenda vaporofita here? Ini ndinoziva kuti munotenda.” Agiripa akati kuna Pauro, “Unofunga kuti angandiite muKristu nenguva pfupi yakadai here?” Pauro akati, “Ingave nguva pfupi kana refu zvayo, ndinotokumbira kuna Mwari, kuti kwete imi moga asi kuti vose vari kundinzwa nhasi uno vave sezvandiri, kunze kwecheni idzi chete.” Mambo akabva asimuka nagavhuna naBhenisi navavakanga vakagara navo. Pavakanga vabva vakataurirana vachiti, “Munhu uyu hapana chaari kuita chinokodzera rufu kana kuiswa mujeri.” Agiripa akati kuna Fesutusi, “Munhu uyu angadai asunungurwa zvake dai asina kuti mhosva yake ikwidzwe kuna Siza.” Pazvakanga zvarongwa kuti tinofanira kuenda kuItari nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa mumaoko aJuriasi aiva mutungamiriri wezana wechikwata chamasoja chokwaAgasitosi. Takakwira chikepe chokuAdhiramitimu chakanga chava kuda kuenda kumaguta okumahombekombe eAsia. Takatangisa kufamba nechikepe tichiperekedzwa naAristakusi mugari wokuMasedhonia aibva kuTesaronika. Pazuva rakatevera takandomisa chikepe paSidhoni. Juriasi akabata Pauro zvakanaka. Akamupa mvumo yokuenda kushamwari dzake kuti dzimuwanise zvokurarama nazvo. Takabvapo tikaenda tiri kurutivi runoenda mhepo rweSaipurasi nokuti mhepo yanga yakatarisana nesu. Patakanga tadimura gungwa riri parutivi peSirisia nePamupfuria takasvika kuMira muRisia. Ikoko mutungamiri wezana akawana chikepe chokuArekizandiria chaienda kuItari akatikwidza machiri. Takafamba nechikepe zvishoma nezvishoma mazuva akati kuti tikasvika, kuKinidhosi zvokutovavarira. Mhepo zvaisina kutibvumira kuenderera mberi, takatofamba tiri kunoenda mhepo kweKiriti tiri pedyo neSarimoni. Takafamba pedyo namahombekombe ayo zvokutovavarira. Takazosvika kune imwe nzvimbo inonzi Maturiroakanaka iri padyo neguta rinonzi Rasea. Sezvatakanga tarasikirwa nenguva yakawanda uye rwendo zvarwakanga ruine njodzi uye nokuti nguva yokutsanya yakanga yapfuura, Pauro akavapa zano achiti, “Madzichangamire, ndirikuona kuti rwendo rwedu ruchava nokukuvara uye nokurasikirwa kukuru kwete nenhumbi nechikepe chete asiwo noupenyu hwedu.” Asi mutungamiriri wezana akateerera kune zvemutungamiriri wechikepe nomuridzi wechikepe kupinda zvaitaurwa naPauro. Pamusanawo pokuti panomirira zvikepe pakanga pasingaiti kupedzera nguva yechando varipo, ruzhinji rwakasarudza kuti vabvepo vaende, vachiti zvimwe, vangadaro vakakwanisa kusvika kuFonikisi, nzvimbo inomirwa nezvikepe zveKiriti yakatarisa kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva uye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kuti tigopedzera nguva yechando tiriko. Pakafefetera kamhepo kanobva kumaodzanyemba vakafunga kuti vawana zvavakanga vachida vakasimudza zvinorema zvokumisisa chikepe vakafambisa chikepe vachitevedza Kiriti vari pedyo namahombekombe. Asi pakarepo dutu rinonzi mhepo yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva yakarova ichidzika ichibva nokuKiriti ikoko. Chikepe chakahwetsurwa chikatadza kukunda mhepo tikabva tangoregerawo zvakadaro ndokubva tavakungoendeswa. Takamhanya tiri kwakadzivirwa mhepo nakatsuwa kanonzi Kaudha. Takakwanisa kusungirira igwa zviri zvokutovavarira kwazvo. Vakarikakatira mukati. Vakaita kuti chikepe chinyatsosimba nokusungirira tambo napasi pacho. Pamusana pokutya kuti vangangopinda mujecha ramahombekombe eSiritisi vakaderedza zvinofambisa chikepe, ndokungosundwa zvachowo. Nenzira yokuti takanga tichitomhotswa — tomhotswa zvinotyisa ramangwana acho vakatangisa kukanda zvinhu panze. Pazuva retatu vakakanda panze namaoko avo, zvimwe zvokushandisa pakufambisa chikepe. Kuzoti kwaita mazuva akawanda pasingambooneka zuva kana nyenyedzi, iro dutu richitivhuvhuta zvakaomarara takanga tangobatira ura mumaoko tongoti ndiko kwavakupera uku. Sezvo vakanga vagara kwenguva ndefu vasina chokudya Pauro akauya mberi pakati pavo akati, “Varume mungadai makanditeerera makarega kubva kuKiriti uye mungadai musina kupinda mukukuvara uku nokurasikirwa uku. Ndinokukurudzirai kuti tsungai mwoyo nokuti hapana achafa pakati penyu kusiya kurasikirwa nechikepe, nokuti ihwo husiku hwanhasi uhu mutumwa waMwari wangu wandinonamata akamira pedyo neni akati, ‘Usatye Pauro, unofanira kundomira pamberi paSiza. Chinzwa Mwari akupa vose vauri kufamba navo nechikepe.’ Naizvozvo tsungai mwoyo varume nokuti ndine chivimbo muna Mwari chokuti zvichangoitika sezvandaudzwa. Asi tichanonzi njo pane chimwe chitsuwa.” Kuzoti hwava usiku hwegumi nehwechina pataive tichingonzi suku nasai mugungwa reAdhiria pavakunge pakati pousiku vafambisi vechikepe vakafungidzira kuti vava kusvika kumahombekombe. Vakaera namaungira vakaona mvura iri mamita makumi matatu namanomwe. Vangoti endei pamberi zvishomanana vakaerazve namaungira vakaona kuti yakanga yava mamita makumi maviri ana manomwe. Pamusana pokutya kuti tingangoroverere pamabwe vakaburitsa zvimwe zvinorema zvokumisisa chikepe zvina necheshure kwechikepe vachinamata kuti dai kwangoedza. Vafambisi vechikepe pavaiedza kutsvaga nzira dzokutiza nadzo muchikepe, vatodzikisa igwa mugungwa nechemberi kwechikepe vachiita sokunge vari kudzikisa zvinorema zviya zvokumisisa nazvo chikepe, Pauro akati kumutungamiri wezana nokumasoja, “Varume ava vakarega kuramba vari muchikepe hamumbopona.” Masoja akadimbura tambo dzegwa vakarirega richienda zvaro. Mambakwedza, Pauro akavakurudzira vose kuti vadye achiti, “Nhasi izuva regumi nechina makabatira ura mumaoko musina chokudya pasina chamadya. Nokudaro ndinokukumbirisai kuti mudye. Zvichakupai simba nokuti hapana noruvhudzi rwomusoro waani naani zvake wenyu ruchatsakatika.” Paakanga ataura izvi akatora chingwa ndokutenda kuna Mwari pamberi pavo vose akachimedura akatangisa kudya. Vakabva vakurudzirwa vose vakadya chokudya. Takanga tiri mazana maviri anamakumi manomwe ana vanhu vatanhatu. Pavakanga vaguta vakarerutsa chikepe nokutokanda koroni mugungwa. Zvino kwakati kwaedza havana kugona kuziva kuti inyika ipi asi vakaona nzvimbo yaigona kumira chikepe yaiva nejecha pamahombekombe pavakafunga kundosvitsa chikepe kumahombekombe ikoko. Naizvozvo vakadimbura zvinorema zvokumisa chikepe nazvo zviya, vakazvisiya mugungwa vachibva vasunungurawo tambo dzakanga dzakasunga zvokunangisa nazvo chikepe. Vakabva vasimudza machira echikepe epamberi akadziva kunobva mhepo. Vakabva vananga kunzvimbo yaigona kumira chikepe kuya. Vakaroverera chikepe pachiturunhuru chejecha pasi pegungwa ndokubva chikepe chati pfe mujecha ndiye mbetete chisisakwanisi kuzunguzika. Besu rechikepe rikabva ratyorwa tyorwa namasaisai. Pfungwa yamasoja yakanga yava yokuti vauraye vasungwa vose kuti varege kushambira vagotiza nokupunyuka. Asi mutungamiri wezana, pamusana pokuda kuponesa Pauro, akarambidza kuita zvavainge vafunga. Akati avo vanokwanisa kushambira vatange ndivo kusvetukira panze vagoshambira vachienda kunyika. Vamwe vose vozoendawo, vamwe vakabatirira pamapuranga kana pane zvimwe zvidimbu zvechikepe. Nenzira iyoyi vose vakasvika pamahombekombe zvakanaka. Kuzoti tapona kudai takazoziva kuti chitsuwa ichocho chainzi Morota. Vagari vomo vakatibata zvakanakisisa kwazvo. Vakativesera moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kwatangisa kunaya uye kwaitonhora. Pauro, paakanga aunganidza svinga rehuni akadziisa pamoto, pakabuda chiva pamusana pokupisa chikanamatira paruoko rwake. Vagari vomo pavakaona chipuka ichi, chakarembera paruoko rwake vakataurirana vachiti, “Zvechokwadi munhu uyu imhondi chaiyo. Nyange zvake apunyuka mugungwa. Nyakururama waramba kuti ararame.” Asi iye akazunzira chipuka chiya mumoto. Haana kukuvara. Vakamirira vachifunga kuti zvimwe achazvimba kana kungowira pasi achibva afa. Asi pavakamirira kwenguva yakareba pasina chakaipa chakaitika kwaari, vakasanduka vavakuti, “Ndimwari.” Padyo nenzvimbo iyoyo pakanga pane minda yomukuru mukuru wechitsuwa ichocho ainzi Pubhiriosi akatigamuchira akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu. Zvakaitika kuti baba vaPubhiriosi vakanga varere vachirwara, vachipisa muviri uye namanyoka okuburitsa ropa. Pauro akavashanyira akanamata achiisa maoko ake pavari akavaporesa. Izvi pazvakaitika vamwe vanhu vose vapachitsuwa icho vaiva nezvirwere vakauyawo vakaporeswa. Vakatiremekedza nenzira dzakawanda uye patakanga tava kuda kutangisa kuenda nechikepe vakatiisira muchikepe zvinhu zvokutiraramisa nazvo. Mushure memwedzi mitatu takatangisa kuenda nechikepe chakanga chapedzera nguva yechando chiri pachitsuwa ichocho. Chikepe ichocho chaiva chokuArekizandiria chaiva nechiga chinonzi Vamwarimapatya. Takasvika paSirakosi tikagarapo mazuva matatu, ndokutenderera tikazondosvika kuRegiumu. Mushure mezuva rimwechete kwakamuka mhepo yaibva kumaodzanyemba. Pazuva repiri racho takasvika kuPuteri. Ikoko takawana vehama tikakokwa kuti tigare navo kwamazuva manomwe. Ndiwo masvikiro atakaita kuRoma. Ikoko, vehama pavakanzwa nezvedu vakauya zvokutosvika kumusika weApia nokunzvimbo yainzi Hoteranhatu kuzotichingura. Pauro paakavaona akatenda Mwari akabva atsunga mwoyo. Patakasvika kuguta reRoma, Pauro akabvumirwa kugara oga nomusoja aimuchengetedza. Kuzoti kwapera mazuva matatu zvakaitika kuti Pauro akakoka vakuru vakuru vavaJudha. Pavakanga vaungana akati kwavari, “Varume hama, kunyange zvangu pasina chakaipa chandakaita kuvanhu kana kutsika dzamadzitateguru edu asi ndakasungwa kuJerusaremu ndikaiswa mumaoko avaRoma. Pavakandiongorora vakada kundisunungura nokuti ndakanga ndisina mhosva inokodzera rufu. VaJudha vakapokana nazvo zvikandimanikidza kukumbira kusvitsa nyaya iyi kuna Siza kunyange ndakanga ndisina mhosva yokukwirira rudzi rwangu. Ndicho chikonzero chaita kuti ndikumbire kukuonai uye kuti nditaure nemi pamusana pokuti ndakasungwa necheni idzi nokuda kwechitarisiro cheIsiraeri.” Vakati kwaari, “Hapana tsamba dzatakagamuchira dzichibva kuJudhea nezvako. Hapanawo mumwe wehama akauya kuno akatipirawo kana kutaura zvakaipa nezvako. Asi isu tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga nokuti zvekabato aka, tinoziva kuti kose kose vanhu vanotaura zvakaipa nezvako.” Vakaronga zuva rokusangana naye, vakazouya paaigara vakawanda kwazvo iye akavarondedzera nyaya iyoyi kubva mangwanani kusvikira mauro achipa uchapupu kuhumambo hwaMwari achiedza kuti vabvume nezvaJesu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi navaporofita. Vamwe vakabvuma zvaaitaura vamwewo vakaramba kubvuma. Naizvozvo vakapesana pachavo. Vakazobvapo Pauro ataura muromo mumwechete unoti: “Mweya Mutsvene akataura zvazviri chaizvo paakataura kumadzibaba enyu nomuromo Isaya muporofita achiti, “ ‘Enda kuvanhu ava undoti kuteerera nyatsoteererai zvenyu asi kunzwisisa pasina zvamunonzwisisa kutarisisa nyatsotarisisai zvenyu asi kuona pasina kuona chaiko. Nokuti mwoyo yavanhu ava indambakurairwa, nzeve dzavo kunzwa hadzichanzwi; maziso avo vakazarira kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo vachinzwa nenzeve dzavo uye vakanzwisisa nemwoyo yavo vakapindukira kwandiri ini ndikavaponesa.’ “Naizvozvo chizvizivai kuti ruponeso urwu rwaMwari rwakatotumirwa kune vechirudzi. Vachateerera.” *** Pauro akagarako makore maviri ose achizvibhadharira. Ainyatsogamuchira vose vaiuya kwaari achiparidza umambo hwaMwari achidzidzisa zvaTenzi Jesu Kristu zviri pachena asina anomudzivisa. Ndini Pauro muranda waJesu Kristu ndakadaidzwa kuti ndive mupositori akatsaurirwa kuparidza Shoko Rakanaka raMwari. Shoko Rakanaka iroro akanga atorivimbisa kare nokuvaporofita vake muMagwaro Matsvene. Rinotaura nezvoMwanakomana wake wechizvarwa chaDhavhidhi panyama. Pane zvokuera kwemweya wake, iye Jesu Kristu Tenzi wedu, akanzi Mwanakomana waMwari pasimba pamusana pokumuka kwaakaita kuvafi. Nokwaari ndakagamuchira nyasha dzebasa rokutumwa somupositori kuti ndiunze vanhu vamarudzi ose mukuteerera kwechitendero muzita rake pamwechete nemi makadaidzwa kuti muve vanhu vaJesu Kristu. Ndinokukwazisai imi mose vadikanwi vaMwari vari muguta reRoma, vakadaidzwa kuti vave varurami. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare. Pokutanga ndinotenda Mwari wangu nokuna Jesu Kristu. Ndinoitira izvi imi mose pamusana pokuti chitendero chenyu chiri kutaurwa pasi pose. Ndinodaro nokuti Mwari iye wandinoshandira nomwoyo wangu wose nokuparidza kwandinoita Shoko Rakanaka roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ini ndinoramba ndichingokudomai muminamato yangu ndichikumbira kuti, zvimwe nokuda kwaMwari, pamwe iye zvino ndipo pandingakwanise kuuya kwamuri. Ndinodisisa kwazvo kukuonai kuti ndikupei chipo chezvomweya kuti chikusimbisei ndichiitira kuti tisimbaradzane nechitendero chomumwe nomumwe wedu, chenyu nechangu. Hama dzangu ndingade kuti, munyatsoziva kuti kazhinji ndichida kuti ndiuye kwamuri, asi kusvika pari zvino, ndakatadziswa kuti ndiwane chandingakohwe pakati penyu uye napakati pavamwe vose vechirudzi. Ndine zvandinosungirwa kuitira vose vechiGiriki navasiri vaGiriki nokunavakangwara nokuna vasina kungwara. Saizvozvo ndinodisa kukuparidzaiwo Shoko Rakanaka imi muri muguta reRoma. Ndinodaro nokuti handinyari neShoko Rakanaka nokuti iro isimba raMwari rokuponesa munhu wose ane chitendero zvichitangisira kuvaJudha kozouya vaGiriki nokuti mariri, kururama kwaMwari kunoratidzwa pachena nechitendero chinobvira pokutanga kusvikira pokupedzisira sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Munhu anoruramiswa nechitendero achararama.” Hasha dzaMwari dzinoratidzwa pachena dzichibva kudenga dzakanangana nokusanamata Mwari kose nouipi hwavanhu vanombunyikidza chokwadi vachishandisa zvakaipa zvavo, nokuti zvinogona kuzivikanwa nezvaMwari zviri pachena kwavari nokuti Mwari, akaratidza zvinhu izvozvo kwavari. Kubvira pakusikwa kwakaitwa pasi uMwari hwake husingaonekwi zvichireva simba rake rokugara nokugara nouMwari hwake, zvakanyatsoratidzwa pachena muzvinhu zvakasikwa. Naizvozvo havana chikonzero chokuti vanzi havana mhosva. Chiripo ndechokuti kunyange vaiziva zvavo Mwari havana kumurumbidza saMwari kana kumutenda asi kufunga kwavo hakuna zvakwakabatsira. Pfungwa dzavo dzisina maturo dzakadzimaidzwa. Vaizviti vakachenjera asi vakava mapenzi. Mbiri yaMwari asingafi vakaitsinhanisa nezvifananidzo zvakaita savanhu zvavo vanofa kana seshiri kana somhuka kana sezvinozvova napasi. Naizvozvo Mwari akavarega kuti vaite madiro avo nehavi dzavo dzounzenza zvichivasvitsa mukuitirana zvinonyadzisa nemiviri yavo. Nokuti vakatsinhanisa chokwadi chaMwari nenhema. Vakanamata vakashandira chisikwa panokunamata nokushandira musiki anofanira kurumbidzwa nokusingaperi Ameni. Nokuda kwaizvozvi Mwari akavarega kuti vaite madiro avo votungamirirwa nehavi dzavo dzinonyadzisa. Vakadzi vavo vakasandura maitiro anofambirana nomusikirwo wavakaitwa savanhukadzi voita zvisingafambirani nomusikirwo wavo. Ndozvimwechetezvo navarumewo vakarega kutevedza zviri mumasikirwo avo okuti vatorane nomunhukadzi votsva nehavi yokuchivana pachavo, munhurume achiita zvinonyadzisa nomumwe munhurume vachibva vogamuchira mubayiro unokodzera wokukanganisa kwavo ikoko. Saizvozvo nokuti havana kuona chiri chinhu chinokodzera kuti vazive Mwari; Mwari akavaregawo vachiva nepfungwa yakaora nokusazvibata. Vakazara nouipi hose hunoti umambara ruchiva noutsinye. Vazere nokusafarira zvakanaka zvavamwe noumhondi nounyengedzi, nouipi hwakakomba nokurevana namakuhwa, nokuva vanhu vanovenga Mwari navanozvikudza navanozvirova dundundu navanozvitutumadza navane rubatabata, navasingateereri vabereki namapenzi avanhu, vanhu vasina chitendero, vasina mwoyo uye vasingakatari. Kunyange zvazvo vachiziva chirevo chaMwari chinoti vanoita zvakadaro vanofanira kufa, havangoita izvozvo chete asi kuti vanotobvumirana navanoita izvozvo. Naizvozvo iwe munhu hauna chingaite kuti unzi hauna mhosva kunyange uri ani zvako kana uchitongera mumwe mhosva asi iwe uchiita zvimwechetezvo. Tinonyatsoziva kuti Mwari, kutongera mhosva kwaanoita vanhu vanoita zvakadai, kuri pamwero. Nhaiwe, munhuwo zvako kudai, unofunga here kuti uchapunyuka kutongerwa mhosva naMwari kana iwe uchitongera vamwe mhosva vanoita zvakadaro asi iwe pachako uchizviitawo? Kana kuti wavakungoti Mwari zvaakazara nomwoyochena nokuregerera nomwoyo murefu, ndizvozvo? Hauzivi here kuti mwoyochena waMwari unenge uchiitirwa kuti iwe upinduke? Asi nokuomarara mwoyo kwako uye nokuva nomwoyo usingadi kupinduka uri kutozozvimutsira hasha pamusi wehasha pacharatidzwa kutonga kwaMwari kwakarurama nokuti achapa, mumwe nomumwe maererano namabasa ake. Achapa upenyu husingaperi kuna vanoita mwoyo murefu mukuita zvakanaka vachitsvaka mbiri norukudzo noupenyu husingaperi. Asi kuna vavo vano mweya wokupanduka vasingateereri chokwadi vanotungamirirwa nouipi; chavo kutsamwirwa nokuitirwa zvehasha. Munhu wose anoita zvakaipa achapinda munhamo namatambudziko, kutanga nomuJudha tevere muGiriki. Asi munhu wose anoita zvakanaka achawana mbiri norukudzo norugare zvichitangirawo kumuJudha tevere muGiriki, nokuti Mwari haana rusaruro. Vose vakatadza vasina mutemo vachapararawo kunze kwomutemo. Uye vose vakatadzira Mwari vari pasi pomutemo vachatongwawo nomutemo. Chiripo ndechokuti havasi vanhu vanongonzwa mutemo vakarurama pamberi paMwari asi vanoita zvinorehwa nomutemo ndivo vachanzi vakarurama. Kana vechirudzi, vasiri pasi pomutemo, vachichengeta mutemo, kuri kuita zviri muropa ravo, vachitevedza zvinodiwa nomutemo, ndivo vava kutozvitungamirira somutemo kunyange zvazvo vasiri pasi pomutemo. Vanoratidza kuti zvinodiwa nomutemo zvakanyorwa mumwoyo yavo. Hana dzavowo dzinovatsigira nokuvapupurira izvozvo. Pfungwa dzavo dzinenge dzichirwisana pachadzo pamwe dzichivapa mhosva pamwe dzichivareverera pazuva iroro, Mwari paanenge otonga zvakavandika zvavanhu nokuna Kristu Jesu maererano neShoko rangu Rakanaka. Zvino kana iwe uchizviti uri muJudha uchivimba nomutemo, uchizvikudza noukama hwako naMwari, uchizivawo kuda kwake, uchikwanisa kusarudza chakanaka nokuti unenge wakadzidziswa zvomutemo, uye kana iwe uine chokwadi chokuti unotungamirira mapofu, uri mwenje kuna vari murima; kana uchigona kudzora mapenzi uye uri murairidzi wavana uchiziva kuti mumutemo ndimo muno ruzivo rwose nechokwadi, zvino iwe kana uri munhu anodzidzisa vamwe kudai haukwanisi here kuzvidzidzisa iwe pachako? Kana iwe uchidzidzisa vamwe kusaba ndiwe woba here? Kana iwe uchiti munhu haafaniri kuita upombwe ndiwe woita upombwe here? Iwe unovenga zvifananidzo ndiwe wondopamba zviri mumaTemberi here? Iwe unozvirova dundundu nezviri mumutemo ndiwe wondoshora Mwari nokutyora mutemo here? Ndinodaro nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Zita raMwari rinoshorwa pakati pevechirudzi pamusana penyu.” Kudzingiswa kunebasa kana uchichengeta mutemo asi kana uchityora mutemo kudzingiswa kunobva kwava kusadzingiswa. Naizvozvo kana munhu asina kudzingiswa akachengeta zvisungo zvomutemo kusadzingiswa kwake hakuzova kudzingiswa here? Saizvozvo avo vasina kudzingiswa panyama asi vachichengeta mutemo vachakupai mhosva imi mune bumbiro romutemo rakanyorwa uye kudzingiswa asi imi muchityora mutemo. MuJudha chaiye haasi muJudha wapamuromo, ndozvimwechetezvo nokudzingiswa kwechokwadi, hakusi kokuooneka kunze kana panyama. MuJudha chaiye muJudha ari muJudha mukati; saizvozvowo kudzingiswa kwechokwadi chinhu chomumwoyo chezvomweya kwete chokutevedza zvakanyorwa chete. Kurumbidzwa kwake kunobva kuna Mwari kwete kuvanhu. Ko muJudha chaanokunda vamwe nacho chii? Ko kudzingiswa kunobatsirei? Zvakatowanda uye nenzira dzakasiyana — siyana. Pokutanga, vaJudha vakachengeteswa zvirevo zvaMwari. Ko ngatitii vamwe vavo vakanga vasina kutendeka? Kusatendeka kwavo kunoshaisha basa kutendeka kwaMwari here? Kwete, hazvidaro, Mwari anofanira kuva pachokwadi kunyange vanhu vose vakave venhema, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kana motaura, zvinobuda pachena kuti ndicho chokwadi kana mukapinzwa dare munobuda musina mhosva.” Ko zvino kana uipi huchiratidza ururami hwaMwari, zvino toti kudini? Tingati Mwari akaipa here kana otiranga (ndiri kutaura somunhu?) Kwete, handizvo, nokuti pakadaro Mwari aizotonga pasi sei? Ko zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chinyatsobuda pachena, zvichiita kuti Mwari arumbidzwe, chandinopirwa mhosva yokuti ndiri mutadzi chii? Vanoti tinoti, “Kana zvakadaro ndingaregerei kuita zvakaipa kuti zvakanaka zvibude mazviri,” sokurasa muromo kunoita vamwe vanhu vachitishora. Kupa vanhu vakadai mhosva kwakarurama. Ko zvino isu vaJudha tiri nani here ipapa? Kwete, napaduku pose. Inga wani tamboti vanhu vose, vaJudha navaGiriki, vari pasi pesimba rechitadzo. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hakuna akarurama kana mumwechete zvake. Hakuna anonzwisisa hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose zvavo pamwechete vakashata. Hapana anoita zvakanaka kana nomumwechete zvake. Gurokuro ravo iguva rakashama, vanoshandisa rurimi rwavo kunyengedza. Mukanwa mavo mune uturu hwenyoka. Miromo yavo izere nokutuka nokuvava. Tsoka dzavo dzinomhanyirira kudeura ropa. Mavanopfuura namo munosara ava matongo nejemedzanwa. Mugariro worugare havauzivi. Mwari havambomuona kuti chii.” Zvino tinoziva kuti chose chinotaurwa nomutemo chinonanga avo vari pasi pomutemo iwoyo kuti pasave naanombopati bufu kuti pasi pabvume muteto pana Mwari nokuti hapana munhu anoruramiswa pamberi pake nezvisungo zvomutemo pamusana pokuti mutemo, chawo kuzivisa vanhu zvechitadzo. Zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena zvisinei nomutemo kunyange zvazvo mutemo navaporofita zvichiupupurira. Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro nokuti munhu wose akatadza akakundika kusvika panodiwa naMwari kuti aponeswe. Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu. Mwari akaronga kuti neropa rake ave ndiye wokuripira naye zvitadzo zvichiitika pamusana pechitendero. Izvi zvakaitirwa kuti kururama kwaMwari kuratidzwe pachena nokuti pamusana pemwoyo murefu wake zvitadzo zvakare akazviti zvingopfuura zvazvo kuti aratidze iye zvino kuti iye akarurama uye kuti anoruramisa munhu anotenda muna Jesu. Pakadaro kuzvikudza kwedu kunozova papi? Kunobva kwashaya maturo. Kunoshaiswa maturo nei? Nezvisungo namabasa here? Kwete asi pamusana pechitendero. Chikonzero chacho ndechokuti tinoti munhu anoruramiswa nechitendero zvisinei nezvisungo zvinobva mumutemo. Kana kuti tingati Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Haasi Mwariwo wevechirudzi here? Hongu ndiMwariwo wevechirudzi, Mwari zvaari mumwechete; uye anoruramisa nechitendero chavo vakadzingiswa, anoruramisawo nechitendero chavo, avo vasina kudzingiswa. Zvinoreva here kuti naizvozvo tava kuparadza mutemo nokuda kwechitendero. Hazvidaro kwete, asi kuti tiri kutosimudzira mutemo. Ko zvino tichati kudiiko nezvaAbhurahamu tateguru vedu paukama hweropa. Dai kuri kuti Abhurahamu akaruramiswa namabasa, angadai aine chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari. Ko Magwaro Matsvene anotii, “Anoti: Abhurahamu akatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama.” Zvino kumunhu anoshanda mubayiro wake haunganzi chipo asi chinhu chaanofanira kupihwa. Asi kumunhu asina mabasa asi achivimba nouyo anoruramisa vasiri vanamati vaMwari, chitendero chake chinoita kuti anzi akarurama. Saizvozvo Dhavhidhi anoti akakomborerwa zvake munhu anonzi naMwari akarurama iye asina mabasa aakaita achiti, “Vakakomborerwa zvavo vakaregererwa kukanganisa kwavo, vane zvitadzo zvavo zvakafushirwa. Akakomborerwa munhu asinganzi naTenzi ane chitadzo.” Chikomborero ichi chinonzi ndechavakadzingiswa chete here kana kuti ndechavasina kudzingiswawo? Tamboti chitendero chaAbhurahamu chakaita kuti anzi akarurama. Zvino zvakaitika sei kuti anzi akarurama? Akanzi akarurama asati adzingiswa here kana kuti mushure mokunge adzingiswa. Hazvina kuitika mushure mokudzingiswa asi asati adzingiswa. Akadzingiswa somucherechedzo unosimbisisa kuti mururami. Ururami ihwohwo akahuwana nechitendero asati adzingiswa. Chinangwa chaiva chokumuita baba wavose vanotenda vasina kudzingiswa vakanziwo vakarurama nenzira iyoyo. Nenzira imwecheteyo akave baba wavakadzingiswa vasina kungodzingiswa chete asi vanotevedzerawo muenzaniso wechitendero chaiva nababa vedu Abhurahamu asati adzingiswa. Abhurahamu nezvizvarwa zvake haana kutsidzirwa kuti pasi pose pachava nhaka yake pachingoteverwa zviri pamutemo zvoga asi pamusana pokururama kunobva muchitendero. Asi dai kuri kuti ndavavo vanotevedza zviri pamutemo vaizogara nhaka iyoyo, pakadaro chitendero hachina maturo uye chitsidzo chinobva chashaya basa nokuti mutemo unounza chirango asi pasina mutemo hapana kudarika mutemo. Saizvozvo chitsidzo ichocho chakaitwa pamusana pechitendero kuitira kuti chive chenyasha uye kuti zvibva zvanyatsosimbisiswa kuti zvizvarwa zvavo zvose zvichachiwana kwete kuna vanochengeta mutemo voga asi kuti kuna avowo vane chitendero chimwechetecho naAbhurahamu, nokuti iye ndibaba vedu tose sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Ndakakuita baba wamarudzi mazhinji.” Abhurahamu akava nechitendero pamberi paMwari anomutsa vakafa uye anosika zvinhu zvisati zvambovapo. Akatenda pazvainge zvisingabviri kutarisira kuti achava baba vamarudzi mazhinji sokutaurirwa kwavakanga vaitwa zvichinzi, “Ndiko kuwanda kuchaita zvizvarwa zvako ikoko.” Chitendero chavo hachina kudzokera shure vachiona muviri wavo wakanga wapera basa sewakafa nokuti vakanga vava namakore anenge zana uye vachifunga kushaya mbereko kwaSara. Hapana kusavimba naMwari kwakamboita kuti vakahadzike nezvechitsidzo chaMwari asi vakasimbiswa muchitendero chavo, vakapa mbiri kuna Mwari. Vainyatsoziva kuti Mwari anogona kuita zvaakatsidza. Ndiko kusaka chitendero chavo chakaita kuti vanzi vakarurama. Asi mazwi aya anoti, “Chakaita kuti vanzi” haana kunyorerwa kuti areve ivo voga asi kuti areve isuwo. Nesuwo tichanzi takarurama, isu tinotenda maari iye akamutsa Jesu Tenzi wedu kuvakafa, iye akaurairwa zvikanganiso zvedu akamutsirwa kuti tinzi takarurama. Naizvozvo zvatakaruramiswa nechitendero tine rugare naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akaita kuti nokwaari tiitirwe nyasha sezvatiri. Tinofara nechitarisiro chembiri yaMwari. Kwete izvozvo zvoga asi kuti tinotofara mumatambudziko edu nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunopa munhu kutirira kutirira kunopa munhu chimiro, chimiro chinopa munhu chitarisiro. Chitarisiro hachitinyengedzi nokuti rudo rwaMwari rwakadururwa mumwoyo yedu naMweya Mutsvene watakapiwa. Kristu akatifira panguva kwayo tisina simba isu; ipapo tisiri vanamati vaMwari. Munhu haadi kufira kunyange munhu akarurama. Pamwe munhu angafire zvake munhu akarurama. Asi Mwari akaratidza kuti anotida nokuti Kristu akatifira tichiri vatadzi. Zvino zvatakaruramiswa neropa rake tichanunurwa zvikuru sei kuchirango chaMwari. Saizvozvowo kana taive mhandu, takawadzana naMwari pamusana porufu rwaMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei noupenyu hwake zvino patakawadzana naye kudai. Handizvo chete asi kuti tinotopembera kufara naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatiwanisa zvino kuwadzana kwedu. Saizvozvo sokuuya kwakaita chitadzo pasi pose nokumunhu mumwechete; rufuwo rukauya nokuchitadzo, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vanhu vose vakatadza. Chitadzo chakanga chatova panyika Mutemo usati wapiwa. Hapana chitadzo kana pasina mutemo. Asi rufu rwaitonga kubvira kuna Adhamu kusvika kuna Mosesi, ruchitonga kunyange vane zvitadzo zvisina kuenzana kukura nezvaAdhamu aiva mumvuri wouyo aizouya. Chipo chenyasha hachina pachingamboenzaniswa napo kukura nechitadzo chiya, nokuti kana vanhu vazhinji vakafa pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete, ko kutozoti nyasha dzaMwari nechipo chinopiwa pachena, pamusana penyasha dzomunhu mumwechete uya, Jesu Kristu, chinofashurirwa zvakadii kuvanhu vakawanda. Zvinoitwa nechipo chinopiwa pachena hazvina kufanana nechitadzo chomunhu mumwechete uya. Ndinodaro nokuti mushure mechitadzo ichi chimwechete pakabva patemwa kuti pane mhosva asi mushure mezvitadzo zvizhinji pamusana pechipo chimwechete chinopiwa pachena pakatemwa kuti hapana mhosva. Kana pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete rufu rwakatonga nomumunhu mumwechete iyeyo, zvino vachatonga noupenyu zvakanyanya sei nomumunhu mumwechete Jesu Kristu avo vanogamuchira nyasha dzakawanda nechipo chinongopiwa pachena choururami. Saizvozvo pamusana pokuti chitadzo chomunhu mumwechete chakaita kuti vanhu vose vanzi vane mhosva nezvowo chiito chakanaka chomunhu mumwechete chinoitawo kuti panzi hapana mhosva uye chichipa upenyu kuvanhu vose; nokuti nokusateerera kwomunhu mumwechete, vanhu vazhinji vakava vatadzi, nokudaro nokuteererawo kwomunhu mumwechete vanhu vazhinji vacharuramiswa. Mutemo wakapindira kuzowanziridza kutadza asi nokuwanda kwakaita zvitadzo nyashawo dzakabva dzawanda zvikuru kwazvo. Izvi zvakaita kuti sokutonga kunoita chitadzo norufu nyashawo dzitonge nokururama kusvikira kuupenyu husingaperi nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Zvino totiiko? Toramba tiri muchitadzo here kuti nyasha dzifashukire? Kwete, handizvo. Zvingaitike sei kuti, isu kuchitadzo, tiri vanhu vakafa, tirambe tichirarama machiri. Hamuzivi here kuti isu tose takaombekwa muna Kristu Jesu. Takaombekwa murufu rwake. Naizvozvo takavigwa pamwechete naye nokuombekwa murufu rwake kuti sokumutswa kwakaitwa Kristu kuvafi nembiri yaBaba isuwo tifambe muupenyu hutsva. Kana takabatana naye murufu rwaakaita serwake tichabatanawo naye mukumuka kwaakaita. Tinoziva kuti humunhu hwedu hwakare hwakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye kuti muviri wezvitadzo uparadzwe uye kuitirawo kuti tirege kuva varanda vechitadzo nokuti munhu anenge afa atosunungurwa kuchitadzo. Asi kana takafa pamwe naKristu kudai tinodavira kuti tichararamawo pamwechete naye. Tinoziva kuti Kristu zvaakamutswa kuvakafa haachazofazve. Rufu haruchamutongazve. Nokufa kwaakaita, kuchitadzo, akava munhu akafa chakamwe asi upenyu hwake iye zvino anoraramira Mwari. Naizvozvo imiwo munofanira kuzviona kuti, kuchitadzo muri vanhu vakafa; asi Mwari ari iye upenyu hwenyu muna Kristu Jesu. Naizvozvo chitadzo ngachirege kukutongai mumiviri yenyu inofa chichiita kuti muteerere havi dzawo. Musape nhengo dzenyu kuti dzishandiswe kutadza semidziyo yokuita nayo zvakaipa asi zvipei kuna Mwari savanhu vakabviswa murufu vachiendeswa kuupenyu mupe nhengo dzenyu kuna Mwari semidziyo yokushandisa mune zvakarurama. Chitadzo hachizokutongai nokuti hamusi pasi pomutemo asi muri pasi penyasha. Ko zvino topara zvitadzo pamusana pokuti hatisi pasi pomutemo asi pasi penyasha here? Handizvo. Hamuzivi here kuti mukazviisa mumaoko omumwe munhu savaranda vanomuteerera, matova varanda vomunhu iyeyo wamunoteerera? Chingave chitadzo chamunoteerera chinosvitsa kurufu kana kuteerera kunotsvitsa mukururama. Asi tinotenda Mwari kuti, imi makambenge muri varanda vechitadzo, mava kuteerera nemwoyo wose chidzidziso chiri pamwero chamakazvipira kwachiri. Madaro kuzvisunungura kuchitadzo, makave varanda voururami. Tava kutaura zvedu savanhu, sezvinhu zvinongowanikawo muvanhu, pamusana poutera. Sezvamakambopa nhengo dzenyu kune zvetsvina uye nokuhuipi hwakaipisisa, saizvozvowo chipai nhengo dzenyu kune zvakarurama kuti muitwe vatsvene. Pamaiva varanda vechitadzo makanga makasununguka kuita zvakarurama noururami. Asi chii chamakawana muzvinhu izvozvo zvamavakutonyara nazvo. Mugumo wazvo rufu. Zvino zvamakasunungurwa muchitadzo mukava varanda vaMwari, mubayiro wamunowana kuitwa vatsvene. Uye mugumo wazvo upenyu usingaperi nokuti mubayiro wechitadzo rufu. Asi chipo chaMwari chaanopa pachena upenyu husingaperi muna Jesu Kristu Tenzi wedu. Hamuzivi here hama dzangu, apa ndiri kutaura kuna vavo vanoziva mutemo, kuti mutemo unosunga munhu chete panguva youpenyu hwake? Saizvozvo mukadzi akaroorwa unosungwa nomutemo wokuva akabatana nomurume wake panenge murume wake achiri mupenyu. Asi murume wake akafa atosunungurwa pamutemo kune zvomurume wake. Saizvozvo anonzi chifeve chomukadzi kana akagara nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu. Asi murume wake akafa asunungurwa pamutemo iwoyo. Kana akaroorwa nomumwe murume haachisiri chifeve. Saizvozvowo, hama dzangu, imi pamusana pokuva vamwe nomuviri waJesu, kumutemo muri vanhu vakafa, kuti muve womumwe, iye akamutswa kuvakafa kuti tiberekere Mwari muchero. Chinondidariso ndechokuti paya pataigara upenyu hwenyama, havi dzedu dzoutadzi dzaishanda munhengo dzedu dzichimutswa nomutemo kuti tiberekere rufu muchero. Asi iye zvino takasunungurwa kumutemo. Kune chinhu chiya chakanga chakatibata uranda, tave vanhu vakafa, zvokuti hatichashanda tiri pasi pomutemo wakare wakanyorwa asi muupenyu hutsva hwaMweya. Zvino toti kudiiko? Toti here mutemo chitadzo? Kwete. Asiwo dai pasina mutemo, ndingadai ndisina kumboziva chinonzi chitadzo. Ndingadai ndisina kumboziva chinonzi kuchiva dai kuri kuti mutemo hauna kuti, “Usachive.” Asi chitadzo chakawana mukana mumutemo wokumutsa nawo mandiri nzira dzose dzokuchiva nadzo. Pasina mutemo, chitadzo chakafa. Ndakambenge ndiri mupenyu mutemo usati wavapo. Asi pakazouya mutemo, chitadzo chakabva chamuka, ini ndikabva ndafa. Iwo mutemo chaiwo wakatsidzira upenyu ndiwo wakatova rufu kwandiri, nokuti chitadzo pachakawana mukana nomumutemo chakandinyengedza chikandiuraya nawo. Nezvo mutemo pachawo mutsvene, murawo pachawo mutsvene uye wakarurama uye wakanaka. Ko zvino tingati icho chinhu chakanaka kudai chakaunza rufu kwandiri here? Handizvo kwete, asi kuti chitadzo ndicho chaikonzera rufu mandiri nomune chinhu chakanaka, kuti chitadzo chionekwe zvachiri kuti chitadzo. Uye chashandisa mutemo kudaro chichibva chanyatsobuda pachena kuti chakaipisisa. Tinozviziva kuti mutemo ndewezvemweya asi ini ndiri munhu wenyama. Ndakatengeswa kukamwoyo kokuda kutadza. Handinzwisisi zvandinoita. Ndinodaro nokuti handiiti zvandinoda kuita. Asi ndinoita izvo zvandisingadi kuita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, zvinoreva kuti ndinobvuma kuti mutemo wakanaka. Naizvozvo handisirini ndinozviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri. Chandinoziva apa ndechokuti hapana chakanaka chinogara mandiri. Ndiri kureva mumuviri wangu nokuti ndingade zvangu kuita zvakarurama asi handikwanisi kuzviita nokuti zvakanaka zvandinoda kuita handizviiti asi zvakaipa zvandisingadi kuita ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisirini ndiri kuzviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri kaya. Saka ndavakutozviona somutemo kuti kana ndichida kuita zvakanaka, chakaipa chinenge chiri pedyo pedyo. Zviripo ndezvokuti, ini mukatikati mangu chaimo, ndinofarira mutemo waMwari. Asi ndinoona kuti mumitezo yangu mune mumwewo mutemo unorwisana nomutemo uri mupfungwa dzangu uchindiita muranda womutemo wakamwoyo kaya kokuda kutadza kanogara mumitezo yangu. Zvino ini, panguwo pano, ndiani achandinunura kumuviri wangu uyu worufu. Ndinotenda Mwari kuti ndinonunurwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Saka zviripo ndezvokuti ini pachangu ndinochengeta mutemo waMwari nepfungwa dzangu asi nenyama yangu ndinotevera mutemo wechitadzo. Nokudaro hapachisina anopiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti muna Kristu Jesu mutemo waMweya woupenyu wakandisunungura kumutemo wechitadzo noworufu. Mwari, nokutumira kwaakaita mwana wake pachake akafanana navanhu venyama uye sechibayiro chezvitadzo, akaita zvisina kukwanisika kuitwa nomutemo pamusana poutera hwavanhu, zvokuti akatongera chitadzo chiri muvanhu mhosva yokuparadzwa. Izvi zvakaitirwa kuti zviri pamwero zvinodiwa nomutemo zvizadzikiswe matiri isu tisingagari upenyu hwenyama asi upenyu hwomweya nokuti vanogara upenyu hwenyama pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvenyama asi vanogara upenyu hwomweya pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvomweya. Kutorwa mwoyo nezvinhu zvenyama rufu. Asi kuisa mwoyo wako kune zvomweya upenyu norugare nokuti mwoyo wakapindwa nezvenyama unovengana naMwari, hauzviisi pasi pomutemo waMwari. Izvo zviri izvowo, haungakwanisi kuita saizvozvo. Avo vanoda kuzvifadza nyama dzavo havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamusipo kuzvifadza nyama yenyu. Imi muina Mweya Mutsvene, kana Mweya waMwari ari mamuri zvechokwadi. Ani nani asina Mweya waKristu, haasi wake. Asi kana Kristu ari mamuri, kunyange miviri yenyu yakafa nokuda kwechitadzo, mweya yenyu mipenyu pamusana poururami. Kana Mweya waiye akamutsa Jesu muvafi achigara mamuri, iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa achapa upenyu kumiviri yenyu inofa nokuna iyewo Mweya anogara mamuri. Saizvozvo, hama, dzangu hatina chikwereti kunyama kuti tigare upenyu hwenyama nokuti ukagara upenyu hwenyama, uchafa asi kana ukauraya, naMweya, zviito zvomuviri uchararama. Vose vanotungamirirwa naMweya waMwari vana vaMwari nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti mupindezve mukutya asi makagamuchira Mweya wokuti muve vana. Ndiye anotigonesa kudaidza tichiti, “Abha, Baba.” Iye Mweya pachake anopupurirana nemweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, tiri vagari venhaka. Tiri vagari venhaka yaMwari uye vagari venhaka pamwe naKristu. Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete naye kuti tigozorumbidzwa pamwe naye. Ndinofunga kuti matambudziko enguva ino haangamboenzaniswa nembiri yaticharatidzwa. Zvisikwa zvose zviri kumirira zvichisuwira kwazvo kuratidzwa kwavana vaMwari, nokuti zvisikwa zvakaitwa zvinhu pasina kwete nokuda kwazvo asi nokuda kwaiye akazviita kuti zvidaro asi chitarisiro chiripo. Chikonzero ndechokuti zvisikwa pachazvo zvichasunungurwa muuranda hwokuora zvichiwana rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvanga zvichigomera pamwechete mukurwadziwa kusvikira iye zvino. Hazvisi zvisikwa zvoga asi kana iyesuwo tine zvipo zvokutanga zvaMweya, tinogomera mukati medu, tichimirira kuti titorwe savana kuri iko kununurwa kwemiviri yedu. Nokuti takaponeswa nechitarisiro ichocho. Chinhu chaunotarisira kana chichionekwa zvokutarisira hapana nokuti ndiani angatarisire chinhu chaarikuona. Asi kana tichitarisira chatisiri kuona tinochimirira nomwoyo murefu. Ndizvozvowo naMweya, anotibatsira muutera hwedu nokuti hatizivi kuti tinofanira kunamata sei. Asi Mweya pachake anotinamatira achitura femo rakadzama zvisingatauriki. Iye Mwari anoongorora hana dzavanhu anoziva zviri mupfungwa dzaMweya nokuti iye Mweya anonamatira vakarurama maererano nezvinoda Mwari. Tinozivawo kuti muna zvose, Mwari anoshanda kuti zvinakire vanhu vanomuda, vaya vakadaidzwa maererano nezviri pamwoyo pake nokuti avo vaakafanoziva akafanovarongera kuti vatodzane nechimiro choMwanakomana wake, kuti Mwanakomana iyeyo ave dangwe rehama dzake zhinji. Avo vaakafanoziva akavadaidzawo. Vaakadaidza ivavo akavaruramisa. Navavo vaakaruramisa akavapa mbiri. Ko zvino totiiko nezvakadai izvi. Ko Mwari zvaari kudivi kwedu, ndiani angatirwise iye asina kuramba noMwanakomana wake waakatopirira isu tose. Haazotipawo here zvinhu zvose pamwechete naye. Zvino ndiani angape mhosva vasarudzwi vaMwari, Mwari zvaari iye anoruramisa. Ndiani angatipe mhosva? NdiJesu Kristu here iye akafa akamutswa muvafi ari kurudyi rwaMwari, iye anototireverera? Ndiani angatiparadzanise norudo rwaKristu? Kutambudzika here kana kuti nhamo, kana kushushwa here kana nzara kana kushaya zvokupfeka here kana pfumvu kana hondo yebakatwa here: sokunyorwa kwazvakaitwa, “Tiri kuurairwemi zuva rose, tinoonekwa sehwai dzokubaya?” Aiwa muna zvose izvi tiri vakundi vokutopfuuridza nokuna iye akatida nokuti ndine chokwadi chokuti hapana rufu kana upenyu kana vatumwa kana vano ukuru ukuru kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvichauya kana masimba, kana urefu kana kukwira mudenga kana udziki pasi kana chimwe zvacho muzvisikwa zvose chinogona kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Tenzi wedu. Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema uye hana yangu iina Mweya Mutsvene inondipupurira kuti ndinosuruvara uye ndinoramba ndichishushikana mumwoyo zvikuru. Ndingatoda zvangu kuti iyeni pachangu ndipinde rushambwa uye kuti ndichekaniswe zvangu ukama naKristu pamusana pehama dzangu voukama nemi parudzi. Ivava vaIsiraeri uye ndivo vana vane mbiri, vakaitwa navo zvitenderano vakapiwa mutemo, vanamati vane zvavakapikirwa. Ndivo vechizvarwa chamadzitateguru aya parudzi rwavo uye pamazvarirwo anoitwa vanhu, ndikowo kwakabva Kristu. Iye Mwari anotonga vose ngaarumbidzwe nokusingaperi. Hakusi kuti izwi raMwari rakakundikana nokuti havasi vose vechizvarwa chaIsiraeri vari vaIsiraeri. Havasi vose vechizvarwa chaAbhurahamu vari vana vaAbhurahamu asi kuti zvinonzi, “Zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nomuzita raIsaki.” Zvichireva kuti vana vaMwari havasiri avo vechizvarwa chenyama asi kuti vana vechitsidzo ndivo vanonzi vana vake chaivo. Chitsidzo chacho chaiti: “Ndichadzoka nguva yakaita seino iyi, ipapo Sara achava nomwana mukomana.” Hazvisizvo zvoga asi kutiwo Rabheka paakabata pamuviri pamapatya nomurume mumwechete tateguru wedu Isaki; kunyange paakanga asati aberekwa asati amboita chakanaka kana chakaipa uye kuri kuti kusarudza kwaidiwa naMwari kuenderere mberi, kwete pamusana pamabasa asi pamusana pokudaidza kwake akataurirwa kuti, “Mukoma achashandira munun'una.” Ndiko kunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Jakobho ndiye waiva wapamwoyo pangu asi Esau akanga asiri wapamwoyo pangu.” Zvino totiiko, zvinoreva kuti Mwari ano rusaruro here? Kwete handizvo nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichaitira tsitsi wandinenge ndada kuitira tsitsi nokunzwira urombo wandinenge ndada kunzwira urombo.” Saizvozvo hazvinei nezvinodiwa nomunhu kana zvinoedzwa kuitwa nomunhu asi chinebasa itsitsi dzaMwari. Magwaro Matsvene anoti kuna Faro, “Chandakakuitira mambo ndechokuti ndiratidze simba rangu nemauri, kuti zita rangu riparidzwe pasi pose.” Naizvozvo anoitira tsitsi kune wose waanenge ada achiita kuti waanenge ada zvake amuaomese mwoyo. Saka muchanditi, ko zvino anozopirei munhu mhosva nokuti ndiani angapikisane nezvaanoda. Asi iwe uri aniwo zvako munhuwo zvako kupindura Mwari. Chiumbwa chingati here kumuumbi wacho: “Wakandiumbirei zvakadai.” Muumbi haana mvumo here yokuita zvaanoda nomunyakwe achiita nechidimbu chawo chimwechetecho mudziyo wokushongedza nawo nomumwe wokushandisawo zvawo. Ndizvozvowo zvina Mwari, ko dai kuri kuti anoda zvake kuratidza hasha dzake nokuranga achiratidza simba rake iye achizvidzora zvake achiitira mwoyo murefu kwazvo midziyo inofanira kuparadzwa pamusana pokuda kuratidza kukura kwembiri yake kumidziyo inofanira kuitirwa tsitsi yaakafanogadzirira mbiri. Kunyange iyesu takadaidzwa tichibva kwete kuvaJudha voga asi tichibvawo mukati mevechirudzi? Sokutaura kwaanoita muna Hosea achiti: “Avo vakanga vasiri vanhu vangu ndava kuvati vanhu vangu, vandaiti havasi vapamwoyo ndava kuvati vapamwoyo.” Panzvimbo imwecheteyo pavakambonzi, “Hamusi vanhu vangu, vachanzi vana vaMwari mupenyu.” Isaya anodaidzirawo nezvavaIsiraeri achiti, “Kunyange zvazvo vaIsiraeri vowanda sejecha rogungwa asi katsama kavo ndiko chete kachaponeswa nokuti Tenzi achatoranga nyika uye nokukurumidza.” Sokufanotaura kwakaita Isaya achiti, “Dai Tenzi wehondo nehondo asina kutisiira vana tingadai takaita seSodhomu kana kuita seGomora.” Zvino toti kudiniko? Toti here vechirudzi vasina kutevedza ururami vakahuwana? Zvichireva ururami hunowanikwa nechitendero? Tochitiwo vaIsiraeri vakatevedza urarami hunowanikwa nokuchengeta mutemo vakakundika kudzidzisa mutemo iwoyo here? Pamusana pei? Nokuti havana kuutevedza nechitendero asi vaiita sokunge hunowanikwa namabasa. Vakagumburwa nedombo rinogumbura sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hezvo ndaisa dombo muZioni richaita kuti vazhinji vagumburwe ibwe richaita kuti vaputsike. Anotenda maari haazonyadziswi.” Hama dzangu, chandinodisisa mumwoyo mangu chaizvo nomunamato wangu wandinovaitira kuna Mwari, ndowekuti vaponeswe. Ndinovapupurira kuti vane shungu naMwari asi havana ruzivo, nokuti nokusaziva kururamiswa kunobva kuna Mwari vakatsvaka nzira dzavo dzokururamiswa. Havana kutsvaka kururamiswa kunobva kuna Mwari. Kristu ndiye akagumisa mutemo kuti munhu wose ane chitendero aruramiswe. Mosesi akanyora achiti, “Munhu anochengeta ururami hunobva mumutemo achararamawo nawo.” Asi ururami hunobva muchitendero hunoti, usataure mumwoyo mako uchiti, “Ndiani achakwira kudenga?” (kundounza Kristu pasi pano) kana kuti, “Ndiani achadzika mugomba rakadzikisisa.” (Kundounza Kristu kubva kuvakafa). Asi ururami hunotii? Hunoti, “Shoko riri pedyo newe, riri pamuromo pako, uye riri mumwoyo mako,” (tiri kureva shoko rechitendero ratinoparidza), nokuti kana ukataura nomuromo wako kuti Jesu ndiTenzi uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa muvakafa uchaponeswa. Zviripo ndezvokuti munhu anotenda mumwoyo wake naizvozvo anorumiswa, uye anobvuma nomuromo wake, anoponeswa naizvozvo. Magwaro Matsvene anoti hapana anotenda maari achanyadziswa, nokuti hapana rusaruro rwokuti uyu muJudha, kana kuti uyu muGiriki. Tenzi mumwecheteyo ndiye Tenzi wavose uye anopa upfumi hwake kuna vose vanodaidza kwaari, nokuti munhu wose anodaidza zita raTenzi achaponeswa. Zvino vangadaidze sei kwaari ivo vasina kutenda maari? Uye vachatenda sei maari iye vasina kumbonzwa nezvake? Uye vanganzwe sei ivo vasina muparidzi. Vanhu vangaparidze sei ivo vasina kutumwa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Hakusi kunaka ikoko, kwakaita tsoka dzavanoparidza Shoko Rakanaka. Asika havasi vose vakateerera Shoko Rakanaka, sezvinotaurwa naIsaya anoti, ‘Tenzi ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri. Saizvozvo chitendero chinobva mune zvatinonzwa. Zvatinonzwa zvinobva mukuparidzwa kwaKristu.’ ” Asi zvandinobvunza ndezvokuti havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti izwi ravo rakaenda pasi pose mazwi avo akasvika kwakaperera nyika. Ndinobvunzazve kuti Isiraeri haina kunzwisisa here? Mosesi ndiye anototanga kuti: “Ndichaita kuti muitire shanje vasiri rudzi, mushatirirwe rudzi rusina musoro.” Isaya anoitawo chivindi chokuti ndakawanikwa navavo vasina kunditsvaka ndakazviratidza kune vasina kundibvunza asi nezveIsiraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu kuna vanhu vasingateereri, vanhu venharo.” Zvino ndingati Mwari akaramba vanhu vake here? Kwete handizvo. Iyeniwo ndiri muIsiraeri, chizvarwa chaAbhurahamu, ndiri wedzinza rokwaBhenjamini. Mwari haana kuramba vanhu vake vaakafanoziva. Hamuzivisu zvinotaurwa naMagwaro Matsvene nezvaEriya zvaanokumbira Mwari kuti zviwire Isiraeri achiti, “Tenzi vanhu ava vakauraya vaporofita venyu. Vakapaza atari dzenyu. Ini ndoga ndini ndasara uye vari kuda kutondipedzisa.” Asi Mwari anomupindura achitii? “Ndakazvichengetera zviuru zvinomwe zvavarume vasina kupfugamira Bhaari. Saizvozvowo iye zvino uno kune chitsama chakasarudzwa nokuda kwenyasha. Zvino kana zviri nokuda kwenyasha, hazvisiri nokuda kwamabasa nokuti nyasha hadzizovi nyasha.” Zvino toti kudii? Toti, Isiraeri yakakundika kuwana zvayaitsvaka. Vaakasarudza ndivo vakazviwana. Asi vamwe vose vakaomaradzwa mwoyo. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Mwari akavapa mwoyo wenhinhi namaziso okuti vasaone nenzeve dzokuti vasanzwe. Kusvikira pari nhasi.” Dhavhidhi anotiwo, “Regai mabiko avo makuru ave riva nomusungo kwavari, ave hunza kwavari nomubayiro wavo. Maziso avo ngaakwidibirwe nerima kuti vatadze kuona dzive hotakota musana nokusingaperi.” Ko zvino ndingati vakagumburwa zvokubva vawira pasi zvachose here? Kwete, handizvoba. Asi nokukanganisa kwavo ikoko ruponeso rwakabva rwaenda kune vechirudzi kuti vaIsiraeri vaite shanje. Zvino kana kukanganisa kwavo ikoko kwakapfumisa pasi pose uyewo kana kukundika kwavo kuchitopfumisa vechirudzi, ko kutozoti kana tazara, tava tose pamwechete navo! Kunemiwo vechirudzi ndinoti, ini somupositori kune vechirudzi ndinokoshesa basa rangu iroro kuti ndimutse shanje muhama dzangu dzechiJudha. Nenzira iyoyo ndigoponesa vamwe vavo. Kana kurambwa kwavo kuchiita kuti pasi pose payananiswe, ko kugamuchirwa kwavo kucharevei? Kunenge korevawo kumuka kwavafi. Kana chidimbu chomukanyiwa wechingwa chinopirwa somupiro wezvitsva chiri chitsvene, saizvozvo mukanyiwa wose mutsvene. Kanawo mudzi uri mutsvene namapaziwo matsvene asi kana mamwe mapazi akadimurwa zvino imi bukirwa romuorivhi womusango mukarumatidzwa panzvimbo pawo kuti muwanewo upfumi homuorivhi musadadire mapazi iwayo. Kunyange mukadada zvenyu asi yeukai kuti hamusimi munotsigira mudzi asi kuti mudzi ndiwo unokutsigirai. Pamwe mungati mapazi akadimurwa kuti ini ndirumatidzwe pamugirepisi. Ichokwadi ichocho. Vakadimurwa pamusana pokusatenda kwavo asi choga chinoita kuti iwe umire wakasimba, chitendero. Naizvozvo rega kuzvikudza; unofanira kutotya, nokuti kana Mwari asina kurega mapazi epo aripo haamboregawo iwe uripo. Saka iwe chinyatsoona mwoyochena nokuoma kwaMwari. Kuomesa mwoyo kwake kuna vakatadza nemwoyochena waMwari kwauri, ndokunge chete mwoyochena waMwari waramba uinewe. Pasina izvozvo kana iwe unodimurwawo. Kunyange vaJudha vaya kana vakarega kurambirira mukusatenda kwavo, vanorumatidzwa pakare nokuti Mwari ane simba rokuvarumatidza zvakare. Ndinodaro nokuti kana imi makadimurwa pamuorivhi, muorivhi womusango zvawo muchizorumatidzwa zvisiri zvinoitika pamakuriro ezvinhu uchirumatidzwa nomugirepisi unorimwa mumunda, ko zvinova nyore zvakadii kuti mapazi epo chaiwo arumatidzwezve pamigirepisi yawo. TSITSI DZAMWARI KUVANHU VOSE. Mungadaro mukafunga kuti makachenjera, ndingade kuti muzive chakavandika ichi hama dzangu. Kuomaradza mwoyo kwakapinda muchikamu cheIsiraeri kusvikira huwandu hwevechirudzi vose hwapinda. Naizvozvo Isiraeri yose ichaponeswa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Mununuri achabva kuZioni achaparadza kusanamata Mwari kose muna Jakobho. Ichochi ndicho chichava chitenderano changu navo kana ndabvisa zvitadzo zvavo.” Pane zveShoko Rakanaka, imhandu dzaMwari kuitira imi, asi pane zvokusarudzwa ndavapamwoyo, pamusana pamadzitateguru avo nokuti zvipo zvaMwari nokudaidza kwake ipfirapo. Sezvamakangoita imi kuti makambova vanhu vasingateereri Mwari asi zvino makaitirwa tsitsi pamusana pokusateerera kwavo, saizvozvowo zvino havateereri kuti netsitsi dzamakaitirwa ivo vaitirwewo tsitsi. Ndinodaro nokuti Mwari akaisa vanhu vose mukusateerera kuti anzwire vose tsitsi. Aiwaiwa hakusi kudzama kwakaita upfumi noungwaru noruzivo rwaMwari! Hakusi kusabatika ikoko kwamazano ake nokusarondeka kwakaita nzira dzake! Nokuti ndiani angazive zviri mupfungwa dzaTenzi; uye ndiani akambova mupi wake wamazano. Kana akambomupa chipo chokuti azodzorerwa, nokuti zvinhu zvose zvinobva kwaari uye zvinouya nokwaari uyewo ndezvake. Iye ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni. Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama dzangu, pamusana petsitsi dzakaitwa naMwari, kuti mupire miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene chinofadza Mwari; ndiko kunamata kwezvomweya ikoko. Musatevedzere zvenyika asi vandudzwai muve vatsva mupfungwa dzenyu kuti munyatsoziva kuti zvinoda Mwari ndezvipi uye kuti zvakanaka ndezvipi zvinofadza Mwari uye zvakaruramisisa. Pamusana pechipo chandakapiwa nenyasha dzaMwari ndinoda kudzora munhu oga oga pakati penyu kuti arege kuzvitora soopamusoro kupinda zvaari asi nepfungwa dzakagadzana kuzviera maererano nechitendero chaakapiwa naMwari. Sezvakangoita kuti mumuviri mumwechete mune mitezo mizhinji. Uye mitezo iyoyo yose haishandi basa rimwechete. Ndizvozvowo zvimwechete nesu kunyange takawanda kudai, tiri muviri mumwechete muna Kristu uye mumwe nomumwe mutezo wavamwe vose. Tine zvipo zvakasiyana — siyana maererano nenyasha dzatakapiwa; ngatizvishandisei. Kana chiri chipo chokuporofita, tinofanira kuporofita zvinofambirana nechitendero chedu. Kana chiri chokuitira vamwe mabasa ngatiitei mabasa, iwayo, anodzidzisa, ngaachisevenzese mukudzidzisa. Ane chipo chokusimbisa vamwe, ngaachisevenzese mukusimbisa vamwe. Ane chipo chokupa, ngaave mupanegombe; kana chiri chipo choutungamiri, tungamirira nomwoyo wose kana chiri chamabasa etsitsi chiite nemwoyo unofara. Rudo ngarurege kuva rwokungonyengedzera, vengai chakaipa, rambai makati kwati kwati nezvakanaka. Idanai somukomanomunun'una. Kundai vamwe pakuremekedzana. Rambai uri moto moto pakushandira Mwari; muchinganduma naMweya Mutsvene; shandirai Tenzi. Farai muchitarisiro chenyu, tirirai mumatambudziko enyu. Rambai muchingonamata. Bisawo mugove wako wokubatsira varurami vanenge vasina chokubata. Gamuchiranai mudzimba dzenyu. Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa. Farai navanofara, muchemewo navanochema. Garai muchinzwanana; Musazvikudze. Fambidzanai navapasi pasi. Musambozvitutumadza. Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka. Hama dzangu dzadiwa, musatsividze asi zvisiirei kuna Mwari anoranga nehasha dzake nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Kutsividza ndokwangu. Ini ndini ndinodzorera.” Ndizvo zvinotaura Tenzi. Kwete, kana muvengi wako ane nzara mupe chokudya. Kana ane nyota mupe chokunwa. Nokuti ukaita zvakadaro unotounganidza mazimbe omoto pamusoro pake. Usakundwe nezvakaipa asi kunda zvakaipa nokuita zvakanaka. Munhu wose ngaave pasi pehurumende inenge ichitonga nokuti hapana simba rokutonga risingabvi kuna Mwari. Vari kutonga vakatoiswapo naMwari. Saizvozvo munhu anoramba kuteerera vatongi, anoramba kuteerera vakagadzwa naMwari. Vanorambawo kuteerera vacharangwa. Vatongi havasi chinhu chinotyisa kuna vanoita zvakanaka asi kuna vanoita zvakaipa. Unoda here kurega kutya vane simba rokutonga? Kana zvakadaro ramba uchiita zvakanaka. Iye achati kwauri zvakanaka, nokuti iye muranda waMwari kuti zvikufambire zvakanaka. Asi ukaita zvakaipa unofanira kutya nokuti haabatire bakatwa pasina. Iye muranda waMwari wokurangira Mwari munhu anoita zvakaipa. Naizvozvo kuzviisa pasi kuya kunofanira kuitwa kwete kunzvenga chete kuranga kwaMwari asi nokuda kokuterera hana yako. Munoripa mutero nechikonzero chimwechetecho nokuti vatongi vashandi vaMwari vanoita basa irori. Varipei vose zvavanokodzera kuripwa. Kana uri mutero wapamunhu nomunhu ripai mutero iwoyo kana uri mutero wapazvinhu ripaiwo zvinofanira kuripwa muchikudza vanofanira kukudzwa nokuremekedza vanofanira kuremekedzwa. Usave nechikwereti nomunhu kusiya chokudanana nokuti munhu anoda mumwe wake azadzisa mutemo. Mitemo inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usachive nemimwe mitemo yose inobatanidzwa yose mushoko iri rinoti, “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Munhu worudo haatadziri mumwe wake. Naizvozvo rudo ndirwo runozadzisa mutemo. Uyezve apa munoziva kuti inguva yakadii; kuti nguva yacho yakwana zvino yokuti muchimuka muhope. Ndinodaro nokuti ruponeso rwava pedyo nesu zvino kupinda patakatanga kudavira. Usiku hwaendedzana, kwava kuda kuedza. Saka ngatichikandai pasi mabasa erima tipfeke demautare rechiedza rokuzvidzivirira naro muhondo. Ngatizvibatei sezvatinoita masikati, tisingatambi zvakaipa, nokuraradza noupombwe nokuzviregerera nokukakavadzana nokuitirana shanje. Regai Kristu ave ndiye demautare renyu rokuzvidziirira naro muhondo, murege kuva nehanya nezvenyama kuti mugutse havi dzayo. Garai zvakanaka nomunhu ane chitendero chisina kusimba. Mugamuchirei asi musingaiti gakava naye pane zvaanofunga. Mumwe anotenda kuti anogona kudya chero chinhu asi asina kusimba uya achingodya mirio yoga. Anodya chinhu ngaarege kushora uyo asingadyi. Asingadyi uya ngaarege kupa mhosva uya anodya zvake nokuti Mwari anomugamuchira. Iwe ndiwe ani unopa mhosva muranda womumwe. Kubudirira kwake kana kusabudirira kwake muridzi wake ndiye anokuona. Achabudirira nokuti Tenzi wake ndiye anogona kuti abudirire. Mumwe munhu anofunga kuti rimwe zuva riri nani kupinda rimwe, mumwewo achitora mazuva ose seakangoenzana. Mumwe nomumwe ngaanyatsotendeseka mumwoyo make nokuti anochengeta zuva anochengeta achikudza Tenzi. Anodyawo anodya achikudza Tenzi nokuti anotenda Mwari. Uyewo uyo asingadyi anorega pamusana pokukudza Tenzi achitenda Mwari. Hapana mumwe wedu anozviraramira iye pachake; hapanawo mumwe wedu anozvifira iye pachake. Kana tiri vapenyu tinoraramira Tenzi. Uye kana tichifa tinofira Tenzi. Saizvozvo kana tikararama kana kufa tiri vaTenzi. Izvozvi ndizvo zvakafira Kristu akava mupenyuzve kuti ave Tenzi wavakafa navapenyu. Unopireiko hama yako mhosva! Ko iwewo unoshorerei mumwe wako! Iyesu tose tichandomira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari, nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, ibvi rose richandigwadamira uye rurimi rwose rucharumbidza Mwari.” Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achandozvidavirira pana Mwari. Saizvozvo ngatiregei kupana mhosva asi ngatitozviitirai chisungo chokuti hatimboisa chinopingiridza kana chinodzivirira panzira yehama yedu. Ndinoziva uye ndinokurudzirwa muna Tenzi Jesu kuti hapana chinhu chakan'ora pachacho asi kuti chakan'orera kuno uyo anochiti chakan'ora. Kana hama yako ichiodzwa mwoyo nezvauri kudya hauchisiri kuita zvine rudo. Usaite kuti chaunodya chiparadze munhu akafirwa naKristu. Saka usaite kuti chakanaka kwauri chizonzi chakaipa nokuti umambo hwaMwari haurevi chokudya kana chokunwa asi hunoreva ururami norugare nokufara muna Mweya Mutsvene. Munhu anoshandira Kristu zvakadai, munhu anofadza Mwari uye anodiwawo navanhu. Naizvozvo ngativavarirei kuita zvinounza rugare nezvinoita kuti tivakane. Musaparadze basa raMwari pamusana pezvokudya. Chokudya chose chakanaka asi hazvina kunaka kuti munhu aite kuti vamwe vatadze pamusana pezvaanodya. Zvakatonaka zvazvo kusadya nyama kana kunwa waini kana kuita chipi zvacho chingaite kuti hama yako itadze. Chitendero chaunacho ngachive chako iwe naMwari pahuviri hwenyu. Akakomborerwa munhu asingazvipi mhosva kana aita zvaanga anyatsofunga kuita. Asi munhu anokahadzika akadya anopara mhosva nokuti kuita kwake hakubvi muchitendero nokuti kuita kose kusingabvi muchokwadi chiri mumwoyo womunhu chitadzo. Isu takasimba tinofanira kuita mwoyo murefu navasina kusimba kwete kungozvifadzawo zvedu. Munhu wose anofanira kuitira mumwe wake zvinomufadza zvinomubatsira nokumusimbisa nokuti Kristu haana kungozvifadza zvake asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kuzvidza kwaavo vakakuzvidzai kwakauya kwandiri.” Ndinodaro nokuti zvose zvazvo zvakanyorwa mumazuva akare zvakanyorerwa kuti zvitidzidzise kuti nokushingirira uye nokukurudzira kwaMagwaro Matsvene tiwane chitarisiro. Dai Mwari anotsungisa uye anokurudzira vanhu angoita kuti mugarisane zvakanaka, zvinowirirana naKristu Jesu kuti pamwechete nezwi rimwechete murumbidze Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu. Naizvozvo gamuchiranai sokugamuchirwa kwamakaitwa naKristu kuti Mwari arumbidzwe. Zvandiri kureva ndezvokuti Kristu akava muranda kuna vakadzingiswa kuratidza chokwadi chaMwari kuti asimbisise zvitsidzo zvakaitwa kumadzitateguru uye kuti vechirudzi varumbidze Mwari nokuda kwengoni dzake, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Saizvozvo ndichakurumbidzai mukati mevechirudzi uye ndichaimbira zita renyu.” Zvinonzizve, “Pemberai nokufara pamwechete navanhu vake, imi vechirudzi.” Uyewo zvinonzi: “Rumbidzai Tenzi imi mose vechirudzi uyewo vanhu vose murumbidzei.” Isayawo anoti: “Dzinde raJese richauya, iye anomuka kuzotonga vechirudzi, vechirudzi vachatarisira maari.” Dai Mwari wechitarisiro angokuzadzai norufaro rwose norugare mukutenda kwenyu, kuti nesimba raMweya Mutsvene mangofashukira nechitarisiro. Hama dzangu ini ndinogutsikana nemi kuti imi pachenyu muzere norunako, muzere neruzivo rwose uyezve nokuti munokwanisa kudzidzisana pachenyu. Asi pane dzimwe nyaya dzandakakunyorerai nechivindi chaicho ndichikuyeuchidzai pamusana pechipo chandakapiwa naMwari chokuti ndiri mushandiri waKristu Jesu ndichishanda mukati mevechirudzi uye kuti ndiri mushandiri weShoko Rakanaka raMwari. Ibasa rangu somupristi kupira vechirudzi kwaari sechibayiro chinofadza chakaereswa naMweya Mutsvene. Naizvozvo muna Kristu Jesu, ndinozvidadisa nebasa randinoitira Mwari. Handingafemeri kutaura nezvechimwe chinhu kusiya nezvakaitwa naKristu nemandiri kuti vechirudzi vateerere namazwi nezviito zvangu nesimba rezviratidzo nezvishamiso uye nesimba raMweya Mutsvene. Uku kuri kuti kubvira kuJerusaremu kutenderera nokuIririkumu ndiparidze shoko raKristu, ndichiita kuti ive ndiyo vavariro yangu yokuparidza Shoko Rakanaka kusati kwakambodomwa Kristu. Ndingadaro ndikavaka pahwaro hwomumwe. Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vasina kumbotaurirwa nezvake vachaona, vasina kumbonzwa nezvake vachanzwisisa.” Ndicho chikonzero chakandipingidza kuti ndiuye kwamuri kakawanda. Asi iye zvino zvandisisina mukana wokushanda munharaunda dzino idzi uye pamusana pokuti ndaisuwira kwamakore mazhinji kuuya kwamuri, ndinotarisira kukuonai ndichipfuura pandinenge ndichienda kuSipeini imiwo muchindibatsira parwendo rwangu ikoko pashure pokunge ndambofara kuva nemi kwechinguvana. Pari zvino ndiri kumboenda kuJerusaremu norubatsiro rwavatsvene. Ndinodaro nokuti vokuMasedhonia nevekuAkaya vakafarira kuti vape chipo kuvarombo mukati mavatsvene vokuJerusaremu. Ivo ndivo zvavo vakafarira kuzviita. Asi zviripowo zvazvo ndezvokuti, vanofanira kubatsira varombo ivavo. Nokuti vaJudha vakagoverana zvikomborero zvomweya nevechirudzi saizvozvowo vechirudzi vanofanira kubatsira vaJudha nezvinhu zvenyama. Saizvozvo kana ndapedza izvi ndatsvitsa zviya zvakaunganidzwa ndichapfuura nokwenyu ndichienda kuSipeini. Ndinozivawo kuti kana ndouya kwamuri ndinouya nechikomborero chaKristu chizere. Ndinokukumbirisai hama dzangu, nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu, nokurudo runobva kuna Mweya Mutsvene, kuti muvavarire pamwechete neni muminamato yenyu kuna Mwari muchindinamatira kuti ndinunurwe kuna vasingatendi vari kuJudhea uye kuti ruyamuro rwangu kuJerusaremu rwutambirwe navatsvene ivavo. Izvi kunenge kuri kuti, nokuda kwaMwari, ndizouya kwamuri nomufaro ndimboti zororei pakati penyu. Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni. Ndinoturira kwauri hanzvadzi yedu Febhi mutungamiriri mushandiri wesangano rokuKenikerie kuti mumugamuchire muzita raTenzi zvinokodzerana navatsvene. Mubatsirei muna zvose zvaangade kwamuri nokuti iye akabatsirawo vazhinji kunyange ini. Ndikwazisirei Prisika naAkwira vashandi pamwe neni mubasa raKristu Jesu vakapinda munjodzi yokuda kudimburwa musoro pamusana pangu. Vanotendwa, kwete neni ndoga, asi kunyange namasanganowo ose evechirudzi. Ndikwazisireiwo sangano rinopindira pamba pavo. Ndikwazisireiwo Epenetusi wapamwoyo, akava wokutanga kuAsia kupindukira kuna Kristu. Ndikwazisireiwo Maria akashanda nesimba pakati penyu. Ndikwazisireiwo Andironikusi naJuniasi hama dzangu vakanga vari vamwe vangu muusungwa, varume vanoremekedzeka pakati pavapositori. Vakanditangira kuva naKristu. Ndikwazisireiwo Ambiriatusi shamwari yangu yapamwoyo muna Kristu. Ndikwazisireiwo Urubhanusi mushandi pamwe neni mubasa raKristu naSitakisi, wangu wapamwoyo. Ndikwazisireiwo Aperesi, munhu akatendeka kuna Kristu. Ndikwazisirei vemhuri yaAristobhurusi, mundikwazisirewo hama yangu Herodioni. Ndikwazisireiwo muna Tenzi vemhuri yokwaNarisisusi. Ndikwazisireiwo vashandi pamwe nesu muna Tenzi Tirifena naTirifosa, mundikwazisirewozve Perisi wapamwoyo akashanda zvakaomarara mubasa raTenzi. Ndikwazisireiwo Rufusi mukuru mukuru mubasa raTenzi naamai vake vari amai vanguwo. Ndikwazisireiwo Asingiretusi naFiregoni naHemesi naPatrobhasi naHemasi nevehama vavanawo. Ndikwazisireiwo zvakare Firorogusi naJuria naNereusi nehanzvadzi yake naOrimbasi navatsvene vose vavanavo. Kwazisanai muchitsvodana zvitsvene. Masangano ose aKristu anokukwazisai. Ndinokukumbirisai hama dzangu kuti munyatsoongorora avo vanopesanisa vanhu nokuunza zvimhingamupinyi vachirwisa zvidzidzo zvamakadzidziswa. Siyanai navo. Vanhu vakadaro havasipo kushandira Tenzi wedu Kristu asi havi dzavo. Vanonyengedza vasina kuchenjera nokunatsa mukanwa kwavo namazwi anotapira. Guhu rokuteerera kwenyu rakapararira kose kose zvokuti ndinofara kwazvo nemi. Ini ndingade kuti muve shasha pakuita zvakanaka asi muve samazirema zvenyu pakuita zvakaipa. Ipapo Mwari worugare anobva apwanyira Satani pasi petsoka dzenyu. Dai Tenzi wedu Jesu Kristu angokuitirai nyasha. Timoti wandinoshanda naye, anokukwazisaiwo pamwechete naRukio naJasoni, naSosipata hama dzangu. Ini Tetiusi munyori wetsamba ino ndinokukwazisaiwo muna Tenzi. Gayusi ari kundichengeta mumba make uye ari kuchengeta sangano rose mumba make ari kukukwazisai. Erasitusi sahomwe weguta rino nehama yedu Kwatusi vanokukwazisai. *** Ngatirumbidzei iye anogona kukusimbisai maererano neShoko rangu Rakanaka uye maererano nokuparidza kwaJesu Kristu uye nokuzarurwa kwezvakanga zvakavandika kwenguva ndefu asi zvino zvakazoburitswa pachena. Uye nezvakanyorwa navaporofita zvikazoziviswa kumarudzi ose maererano nezvakanzi naMwari wokusingaperi ngazviziviswe kuti kuve nokuteerera kunounzwa nechitendero. Mbiri ngaipiwe kuna Mwari oga anoungwaru nokuna Jesu Kristu nokusingaperi. Ameni. Ini Pauro ndakadaidzwa kuti ndive mupositori waKristu Jesu, chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai ini pamwechete nehama Sositenesi, imi vesangano raMwari riri kuKorinde, rinemi vanhu vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu, imi makadaidzwa kuva varurami pamwechete navose vanodaidzira kose kose muzita raTenzi wedu Jesu Kristu, Tenzi wavo neweduwo. Chikomborero chokuitirwa nyasha nokuwaniswa rugare dai changova nemi chichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Tenzi Jesu Kristu. Ndinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu nokuda kwenyasha dzaMwari dzamakapihwa muna Kristu Jesu, kuti muna zvose makapfumiswa maari zvokuti munogona kutaura uye munoziva zvose. Uchapupu hwaKristu hwakasimbisiswa mamuri, zvokuti hapana chipo chezvomweya chamusina pamunenge makamirira kuratidzwa pachena kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Ndiye achakusimbaradzai kusvikira kumagumo kuti munge musina mhosva pazuva raTenzi wedu Jesu Kristu. Mwari akatendeka. Ndiye akakukokai kuti muve noruwadzano naMwanakomana wake Jesu Kristu Tenzi wedu. Ndinokukumbirisai hama dzangu muzita raTenzi wedu Jesu Kristu kuti mose zvenyu munzwanane uye kuti parege kuva namakakatanwa pakati penyu, kuti mose munzwanane mupfungwa nemwoyo mumwechete. Ndinodaro nokuti ndakataurirwa nevemhuri yokwaKurowe kuti pane kupopotedzana pakati penyu, hama dzangu. Zvandinoreva ndezvizvi zvokuti, mose mavakuti ini ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi mumwewo achiti ndiri waKefasi mumwewo achiti ndiri waKristu. Ko iye Kristu akadanzuranwa here? Ko Pauro akakurovererwai pamuchinjikwa here? Kana kuti zvimwe makaombekwa muzita raPauro here? Ndinotenda Mwari kuti handina mumwe wenyu wandakaombeka kusiya Krisiposi naGayosi kuti pashaye anoti makaombekwa muzita rangu. Ehe, ndakaombekawo vemhuri yaStefanosi. Kunze kwaivava, hameno kana pano mumwezve wandakaombeka. Chikonzero chacho ndechokuti Kristu haana kundituma kuzoombeka asi kuzoparidza Shoko Rakanaka uye kwete namazwi oungwaru kuti muchinjikwa waKristu urege kutorerwa simba rawo. Zvinoreva muchinjikwa, ndezvoupenzi kuna vakananga kundoparadzwa asi kunesu vari kundoponeswa, isimba raMwari nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ndichaparadza ungwaru hwavakachenjera uye ndichashaisa maturo ruzivo rwavazivi.” Mungwaru achazova papi ipapa? Zvino iyo nyanzvi yomutemo ichavapapi? Nyanzvi dzokufunga dzomukore uno dzichazova papi ipapo? Mwari haana kuita kuti ungwaru hwapasi pano, huve upenzi here? Nokuti ungwaru hwaMwari ihoho hwakaita kuti vanhu vasazive Mwari noungwaru hwavo. Uye zvakafadza Mwari kuponesa vanotenda, vachibatsirwa nezvoupenzi zvatinoparidza. VaJudha vanoda zvishamiso vaGiriki vanotsvaga ungwaru. Asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa. Izvi chigumburo kunavaJudha uye upenzi zvahwo kune vechirudzi. Kuna vakadaidzwa zvavo, vangave vaJudha kana vaGiriki, tinoparidza Kristu, iye simba raMwari noungwaru hwaMwari. Upenzi hwaMwari ungwaru kupinda ungwaru hwavanhu uye utera hwaMwari hune simba kupinda ravanhu. Yeukai kuti pamakadaidzwa hama dzangu, havasi vangani venyu vakanga vakangwara sokuona kunoita nyika. Havazi vangani venyu vaiva noukuru kana vaiva vokumba huru. Asi Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika samazungairwa kuti anyadzise vangwaru. Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika savasina simba kunyadzisa vakasimba. Mwari akasarudza vanoonekwa savapasi pasi navanhu vakazvidzika panyika kuti zvinonzi ndizvo zvinhu kwazvo zvive zvenhando kuitirawo kuti pashaye munhu anozvikudza pamberi paMwari. Kuna Mwari ndiko kunobva upenyu hwenyu muna Kristu Jesu waakaita kuti ave ndiye ungwaru hwedu, uye kuti ave ndiye anotiruramisa, anotiita vatsvene nokuva rudzikinuro rwedu. Saizvozvo, sokunyorwa kwazvakaitwa, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze naTenzi.” Kunyange ini pandakauya kwamuri hama dzangu, handina kuuya ndichikuparidzai chakavandika chaMwari ndichishandisa mazwi akadzama kana oungwaru hunoshamisa. Zvandaiva pakati penyu, hapana chandakada kunzi ndinoziva, kunze kwaJesu Kristu uye iye akarovererwa pamuchinjikwa. Pandaiva nemi ndakanga ndisina kusimba ndichitya ndichidedera. Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisiri zvokupwisa vanhu namazwi oungwaru asi kuratidza Mweya nesimba kuti musimboti wechitendero chenyu urege kuva ungwaru hwavanhu asi simba raMwari. Zvakadaro zvazvo, kune vabve zero, tinopa shoko roungwaru. Asi hausi ungwaru hwapanyika pano kana hwavatongi vapasi pano vari pedyo nokupfuura. Tinoparidza chakavandika uye ungwaru hwaMwari hwakavandika hwakatemwa naMwari pasi pasati pavapo kuti tizopenyeswa. Hapana vatongi vapasi pano vakazviziva nokuti dai vakazviziva vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Tenzi wembiri. Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvinonzi, “Mwari zvaakagadzirira vanomuda hapana ziso rati razviona kana nzeve yati yazvinzwa kana munhu ati ambozviisa mupfungwa. Izvozvo ndizvo zvaakatizivisa nokuna Mweya, nokuti Mweya anotsvagurudza zvose kunyange zvinhu zvoudzamu hwaMwari. Ndiani angazive zviri mupfungwa dzomunhu kusiya mweya womunhu iyeyo uri maari. Saizvozvowo hapana angazive pfungwa dzaMwari kusiya Mweya waMwari. Zvino hatina kugamuchira mweya wapanyika asi Mweya anobva kuna Mwari kuti tizive zvipo zvatinopiwa pachena naMwari.” Hatitauri izvi namazwi atinodzidziswa noungwaru hwavanhu asi atinodzidziswa naMweya tichitsanangura zvinhu zvechokwadi zvomweya kuna avo vana Mweya. Munhu asina Mweya haakwanisi kugamuchira zvipo zvaMweya Mutsvene waMwari nokuti ndezvoupenzi kwaari, uye haagoni kuzvinzwisisa nokuti zvinogona kunzwisiswa nomunhu ana Mweya. Munhu anaMweya anogona kunzwisisa zvose sezvazviri asi iye hapana anogona kumunzwisisa zvaari. Sokutaura kunoita Magwaro Matsvene anoti, “Ndiani angazive pfungwa dzaTenzi zvokuti angamudzidzise? Asi isu pfungwa dzaKristu tinadzo.” Kana iniwo, hama dzangu, handina kukwanisa kutaura kwamuri savanhu vana Mweya asi savanhu venyama uye savacheche muna Kristu. Ndakakurerai nomukaka kwete nesadza nokuti makanga musati mokwanisana naro. Nyangwe nazvino wose hamusati mokwanisana naro. Chikonzero ndechokuti muchiri vanhu venyama, nokuti kana pachine shanje nokukakavadzana pakati penyu, hamusi vanhu venyama here muchizvibata savanhuwo zvavo? Ko kana munhu achiti ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi hamusati muchingova vanhu chete here? Ko iye Aporosi chiiwo zvake? Pauro chinyi? Varanda. Imi makawana chitendero chenyu nemavari sokupiwa kwakaitwa mumwe nomumwe wavo. Ini ndakadyara, Aporosi akadiridza asi Mwari ndiye akaita kuti zvikure. Saka anodyara naanodiridza hapana zvavari asi Mwari ndiye chete anoita kuti zvikure. Anodyara naanodiridza vakangoenzana. Mumwe nomumwe wavo achagamuchira mubayiro wake sokushanda kwaakaita nokuti tiri vashandipamwe vaMwari. Imi muri munda waMwari, imba yaMwari. Nenyasha dzandakapiwa naMwari ndakavaka hwaro somuzivi chaiye wokuvaka. Mumwe ndiye ari kuvaka pasoro pahwo. Munhu wose ngaatozvingwarira kuti anovaka sei pahuri. Hakuna humwe hwaro hunogona kuvakwa nomunhu kusiya hwakavakwa ihwohwo. Hwaro hwacho ndiJesu Kristu. Zvino mumwe anogona kuvaka hwaro ihwohwo nendarama, mumwe nesirivha mumwe namatombo anokosha mumwewo namapango mumwe nouswa mumwe namashanga. Basa romumwe nomumwe richaratidzwa pachena zvariri nokuti Zuva iroro richazviburitsa pachena nokuti basa romunhu richaoneswa zvariri nomoto. Moto ndiwo uchaedza basa romunhu nomunhu kuti akariita sei. Kana basa rokuvaka rakaitwa nomunhu pahwaro huya rikagona kuramba riripo, munhu iyeyo achawana mubayiro. Asi basa romunhu rikatsva, acharasikirwa. Iye pachake achaponeswa zvake asi somunhu akapunyuka nomumoto. Handiti munoziva kuti muri Temberi yaMwari here uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri? Nezvo ani naani anoparadza Temberi yaMwari, Mwari achamuparadza nokuti Temberi yaMwari inoera. Temberi yacho ndimi. Munhu ngaarege zvake kuzvinyengedza. Kana pano mumwe pakati penyu anozviti ndakachenjera panyika pano ngaatozviita sebenzi zvake kuti ave mungwaru. Ndinodaro nokuti, ungwaru hwapasi pano, kuna mwari hupenzi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Anokachikira wakangwara muhumenemene hwavo ihwohwo. Napamwezve panoti Tenzi anoziva kuti pfungwa dzavangwaru hadzina maturo Saizvozvo munhu ngaarege kuzvirumbidza nomunhu nokuti zvinhu zvose ndezvenyu. Angave Pauro kana Aporosi kana Kefasi; ingave nyika kana upenyu kana rufu, ingave nguva ino, kana yamangwana, zvose ndezvenyu; Imiwo muri vanhu vaKristu Kristu ndewaMwari.” Saizvozvo munhu ngaatitore savaranda vaKristu, vatariri vezvakavanzika zvaMwari. Vataririwo vanotarisirwa kuti vave vanhu vakatendeka. Kwandiri ini chinhu chidukuduku kuti nditongwe nemi kana kutongwa nedare ripi zvaro ravanhu. Hapana chandinozvipa mhosva nacho. Hapana chandinonzwa chinondirovesa hana asi hazvirevi kuti handina mhosva. Anogona kunditonga chete ndiTenzi. Nokudaro regai kupa munhu mhosva nguva isati yasvika, Tenzi vasati vauya. Ndivo vachaburitsa pachena zvinhu zvakavandika murima iye zvino uye vachaburitsa pachena zvinangwa zviri mumwoyo. Ipapo munhu wose achapiwa kurumbidzwa kwake naMwari. Ndichiitira kuti zvikubatsirei hama, ndazvitora ini naAporosi somuenzaniso, ndichiitira kuti imi mudzidze patiri kuti munhu ngaarege kupfuuridza pane zvakanyorwa, kuti pasave naanozvikudza nomunhu uyu kana nouyo. Nokuti akazoti uri mukuru pana vamwe ndiani? Chii chaunacho iwe chausina kutopiwa? Ko kana wakaita zvokutopiwa, unozvikudzireiko sokunge chisiri chipo? Imika zvenyu mune zvakakwana kare. Makatova vapfumika imi. Munotova madzimambo isu tisiri mazviri. Dai zvaingoitika kuti mutonge, kuti isu titongewo nemi. Ndinofunga kuti Mwari, isu vapositori, akatiisa kokupedzisira achitiratidza kunyika savanhu vanofanira kuuraiwa nokuti tatove chinhu chokuyevewa nenyika yose navatumwa navanhu. Tiri mapenzi zvawo pamusana paKristu asi imi makangwara muna Kristu. Isu hatina simba asi imi makasimba. Munoremekedzwa asi isu tinoshorwa. Kutaura kuno, tine nzara nenyota, uye takapfeka marengenya. Tinorohwa uye hatina musha. Tinozvishandira namaoko edu. Kana tikatukwa, isu tinoti ngavakomborerwe. Tikashushwa tinotirira. Kana tikareverwa makuhwa tinopindura zvinoyananisa. Iye zvino tiri marara zvawo apanyika namagufu azvose. Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei asi kuti ndikutsiurei savana vangu vapamwoyo, nokuti kunyange muna vadzidzisi vakazanirana munaKristu asi hamuna vanababa vakawanda. Ini ndakava baba venyu muna Kristu nokuda kweShoko Rakanaka. Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti munditevedzere. Pamusana paizvozvo ndiri kukutumirai Timoti, mwana wangu wapamwoyo wakatendeka muna Tenzi kuti akuyeuchidzei mugariro wangu muna Kristu sokuvadzidzisa kwandinoita kose kose musangano rimwe nerimwe. Vamwe venyu vavakuzvitutumadza sokunge ndisisauyeko kwamuri. Asi ndichauya kwamuri nokukurumidza, kana Mwari achida, ndipo pandichanzwa kwete zvinotaurwa navanhu vanozvikudza ava asi kuti ndichaona simba ravanaro, nokuti umambo hwaMwari hakusi kungotaura chete asi kuti isimba. Munodei imi? Ndokuvingai neshamhu here kana kuti mwoyo worudo uno unyoro? Ndiri kunzwa zvechokwadi kuti pakati penyu pari kuitwa unzenza husingatombowanikwi kunyange pakati pavasiri vanamati. Pano murume ari kutorana nomudzimai wababa vake. Asi imi motozvikudza imi, musingatozvichema kuti munhu akaita izvi abviswe pakati penyu. Ichokwadi zvazvo kuti handiko ikoko asi mwoyo wangu uri ikoko, sokunge ndiri ikoko. Munhu akaita izvozvo ndatomubata nemhosva, muzita raTenzi Jesu. Pamunenge maungana ndinemiwo mupfungwa dzangu. Nesimba raTenzi wedu Jesu munofanira kuturira munhu iyeyo kuna Satani kuti muviri wake uparadzwe kuti mweya wake uponeswe nezuva raTenzi Jesu. Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shomanana inofutisa mukanyiwa wose? Bvisai mbiriso yakare kuti muve mukanyiwa mutsva. Izvo zviri izvowo chaizvo zvamuri zvokuti hamuna kufutiswa nokuti Kristu hwayana yedu yePasika yakaitwa chibayiro. Naizvozvo ngatichengetei zuva guru kwete nembiriso yakare, mbiriso yokuipa mwoyo nezviito zvakaipa asi kuva nechingwa chisina mbiriso chokuva pachokwadi uye chine chokwadi. Ndakambokunyorerai mutsamba yangu ndichiti musafambidzane navanhu vounzenza. Hatisi kureva vounzenza vose vose vapanyika kana vanoruchiva namakororo kana vanonamata zvinhu zvisiri Mwari nokuti mungatofanira kubva pasi pano. Asiwo zvandakakunyorerai ndezvokuti murege kufambidzana nani zvake anodaidzwa kunzi hama muna Kristu kana ane mhosva younzenza kana yoruchiva kana kuti munamati wezvisiri Mwari kana munyombi kana chidhakwa kana gororo kana kumbodya nomunhu akadaro. Handinei nokutonga varikunze. Handiti vari musangano ndivo chete vamunotonga. Mwari ndiye anotonga vari kunze. Dzingai munhu uyo akaipa pakati penyu. Kana mumwe wenyu akanganisirwa nomumwe, angafunge here chokwadi kuenda kumatare avanhu vasiri vanamati, panze pokuenda kuna vatsvene? Hamuzivi here kuti vatsvene ndivo vachatonga pasi pose? Zvino kana pasi pachizotongwa nemi hamugoni here kuenzanisa tunyaya tudiki twakadaro? Hamuzivi here kuti tisu tichatonga vatumwa; kokutozoti nyaya dzoupenyu huno? Zvino kana muine nyaya dzakadaro munodziendeserei kuna vanhu vasingaverengwi nesangano? Ndinotaura izvi kwamuri kuti munyare. Ndizvo here kuti hapana munhu pakati penyu mungwaru anogona kuenzanisa hama nehama? Asi hama iri kutokwirirana matare neimwe hama pamberi pavasiri vatendi. Kukwirirana matare kukundikana ikoko. Zvinodii zvazvo kusva watakura zvako zvaunotadzirwa? Unodii kusva wanyengedzwa zvako? Asi iyemi pachenyu ndimi munoita zvakaipa muchibiridzira, muchitoita izvozvo kunyange kuhama dzenyu. Hamuzivisu kuti vasakarurama havawane nhaka youmambo hwaMwari. Musazvinyengedze kuti hapana unzenza navanamati vezvisiri Mwari, kana mhombwe navarume vanoita zvakaipa navamwe varume, kana mbavha, kana vano ruchiva, kana zvidhakwa kana vanyombi kana makororo vanokwanisa kupinda muumambo hwaMwari. Ndizvo zvakanga zvakaitawo vamwe venyu asi makashambidzwa mukaitwa vatsvene, mukaruramiswa muzita raTenzi Jesu Kristu uye muna Mweya waMwari wedu. Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose asi hazvisi zvose zvinobatsira Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose asi handibvumi kuitwa muranda nechii zvacho. Chokudya chakaitirwa dumbu dumbu rakaitirwa chokudya. Asi Mwari achazviparadza zvose zviri zviviri Muviri hausi wounzenza asi ndowaTenzi, Tenziwo ndewe muviri Mwari akamutsa Tenzi uye achatimutsawo nesimba rake. Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo dzaKristu? Zvino ndingatore here nhengo dzomuviri waKristu ndichidziita nhengo dzomuviri wepfambi? Hazvimbofa zvakaitika. Hamuzivi here kuti munhu anozvibatanidza nepfambi anobva ava muviri mumwechete nepfambi? Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vaviri ivavo vachava nyama imwechete.” Munhuwo anobatana naTenzi anova mweya mumwechete naye Sianayi noupombwe. Zvimwe zvitadzo zvose zvinoitwa nomunhu zviri kunze komuviri asi munhu anoita zvoupombwe anotadzira muviri wake. Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene ari mamuri anobva kuna Mwari? Hamusirimi muridzi wezvamuri. Makatengwa nomutengo. Naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu. Panyaya dzamakanyora, zvakanaka kuti murume arege zvake kumbobata munhukadzi. Asi pamusana peupombwe huriko, murume oga oga anofanira kuva nomukadzi wake uyewo mukadzi mumwe nomumwe anofanira kuva nomurume wake. Murume anofanira kupa mukadzi wake zvaanofanira kumupa somurume wake, ndizvozvowo nomukadzi kumurume wake. Mukadzi haana simba pamusoro pomuviri wake asi murume wake; murumewo haana simba pamusoro pomuviri wake asi mukadzi wake. Regai kunyimana, kunze kokunge mabvumirana kuregera kwechinguva, kuti mumbonamata, asi mozodzokerana zvakare nokuti Satani angadaro akakuedzai nokutadza kuzvibata. Handisi kutaura izvi kwamuri somutemo asi kukubairai zanhi. Ini ndingatoda kuti dai vanhu vose vakaita zvandakaita ini. Zvakadaro zvazvo, vanhu vose vakapiwa zvipo zvakasiyana — siyana, munhu nomunhu achipiwa naMwari chipo chisina vamwe. Kuna vasina kuroora nechirikadzi, ndinoti zviri nani kwavari kuramba vasina kuwana sezvandiri. Asi kana vasingakwanisi kuzvibata ngavawane nokuti zvirinani kuwana pano kutsva nehavi. Kuna vakaroorana ndinopa murawo, kwete ini asi Tenzi, wokuti mudzimai haafaniri kusiyana nomurume wake. Asi akasiyana naye ngaarambe asina murume, kana kuti ngaadzokerane nomurume wake. Murumewo ngaarege kuramba mukadzi wake. Kuna vamwe imi mose, ini, kwete Tenzi, ndinoti kana hama munamati ino mudzimai asiri mutendi asi anobvuma zvake kugara naye, haafaniri kumuramba. Mudzimaiwo, kana aine murume asiri mutendi anobvuma zvake kugara naye haafaniri kumuramba. Chikonzero chacho ndechokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomukadzi wake uyewo mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomurume wake. Dai zvisina kudaro vana venyu vangadai vakan'ora asi sezvazviri, vatsvene. Asi kana uyo asingatendi achida kuti vasiyane, ngavasiyane. Pakadaro hama munamati yakasununguka nokuti Mwari akatidanira rugare. Iwe mudzimai ungazive sei kuti zvimwe uchaponesa murume wako? Newewo murume ungazive sei kuti zvimwe uchaponesa mudzimai wako? Chiripo zvacho ndechokuti munhu wose ngaagare upenyu hwaakapiwa naTenzi uye hwaakadaidzirwa naMwari. Iwoyo ndiwo mutemo wangu mumasangano ose. Pano munhu akanga akadzingiswa here panguva yaakadaidzwa? Ngaarege kuvanziridza kudzingiswa kwake. Pana akanga asina kudzingiswa here panguva yaakadaidzwa? Ngaarege kudzingiswa. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna zvakunoreva asi kuchengeta mitemo yaMwari. Munhu wose ngaarambe ari zvaakanga ari paakadaidzwa. Wakanga uri muranda here pawakadanwa, hazvina mhosva, asi kana uchigona kuwana rusununguko rwako chawawana batisisa, zvisunungure. Chiripo ndechokuti muranda anenge adaidzwa muna Tenzi, munhu akasununguka waTenzi. Ndizvozvowo nomunhu akadanwa iye akasununguka, muranda waKristu. Imi makatengwa nomutengo, musave varanda vavanhu. Naizvozvo hama dzangu munhu zvaakadaidzwa naMwari akaita, ngaarambe akaita saizvozvo. Kuna vasina kuwana handina mutemo waTenzi asi ndinokupai zvandinofunga somunhu anovimbika chiri chipo chenyasha dzaTenzi. Ndinofunga kuti nenhamo dziriko iye zvino, zviri nani kuti munhu arambe ari zvaari. Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvake kusunungurwa. Hauna kuwanana nomukadzi here, usatsvake zvokuwana. Asi ukawana hauna kupara chitadzo. Musikanawo akawanikwa haana kupara chitadzo. Asi vanoroorana, nhamo dzapasi dzoupenyu ndedzavo. Ndingade kuti ndikudzivirirei kunhamo dzakadaro. Zvandinoreva ndezvizvi, hama dzangu, nguva yakatemwa iya yava pedyo pedyo. Kubvira iye zvino zvichienda mberi vana vadzimai ngavagare savasina. Uye vaya vanochema ngavaite savasiri kuchema. Vanofarawo ngavaite sevasiri kufara. Uye vanotenga ngavaite savasina zvinhu. Vane zvokuita nezvenyika ngavaite savasinei nezvenyika nokuti nyika sezvairi iri kupfuura. Ndingade kuti pasave nechinokushungurudzai mumwoyo. Murume asina kuroora ane shungu nezvaTenzi kuti angafadze Tenzi sei. Asi murume akaroora mwoyo wake uri kune zvapanyika kuti angafadze mudzimai wake sei. Munhu ane mwoyo miviri. Mukadzi asina kuroorwa kana kuti mhandara, ano shungu nezvaTenzi kuti ave mutsvene mumuviri nomumweya. Asi mukadzi akaroorwa mwoyo wake uri kune zvenyika kuti angafadze sei murume wake. Ndinotaura izvi kuti ndikubatsirei, kwete kuti ndiwane chandinokurambidzai asi kuti pave nokuita kune mwero uye kuti muve nomwoyo mumwechete kuna Tenzi. Kana murume achiona kuti haasikuzvibata kumusikana wake. Kana havi dzake dzanyanya uye pane zvinofanira kuitwa ngaaite zvaari kuda kuita, ngaaroore. Hapana chakaipa. Asi munhu akanyatsofunga mumwoyo make kurega kuroora asina amumanikidza achinyatsoziva zvaari kuita, anyatsozvironga mumwoyo make kusaroora musikana wake, anoita zvakanaka. Naizvozvo munhu anoroora musikana wake anoita zvakanaka uyewo munhu asingaroori anotoita zviri nani. Kana murume achiri mupenyu mudzimai anosungwa nomurawo wokuramba akabatana nomurume wake, asi murume wake akafa, akasununguka kuroorwa nomurume waanoda asi ngazviitwe muna Tenzi. Asi sokuona kwangu angatova munhu akakomborerwa zvake akaramba ari zvaari izvozvo. Ndinofunga kuti ndina Mweya waMwari. Panyaya yechokudya chakapirwa kuna vamwari vasirivo tinoziva kuti tose tine ruzivo nazvo. Ruzivo runotutumadza munhu asi rudo ndirwo runovaka munhu. Kana munhu achiti ndinoziva, haazivi sokuziva kwaanofanira kuita. Asi kana munhu achida Mwari, anozivikanwawo naye. Saizvozvo pane zvechokudya chakapirwa kunavamwari vasirivo, tinoziva kuti pasi pano chinonzi mwari asiri iye hakuna uye kuti hakuna mumwe mwari kusiya mumwechete. Kunyange variko zvavo vanonzi vamwari kudenga kana panyika varikowo zvechokwadi vanonzi vamwari vakawanda navanonzi vanatenzi vakawanda. Asi kwatiri isu, kunongova naMwari mumwechete Baba kwakabva zvinhu zvose. Ndiyewo watakasikirwa naTenzi mumwechete Jesu Kristu. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari iye kana iyesu takasikwa nemaari. Asi havasi vose vano ruzivo irworwo asi vamwe nokutojairirana navamwari vasirivo, vanodya chokudya ichocho sokunge chakapirwa zvechokwadi kunamwari asiriye. Zvino pamusana pehana dzavo nhete vanobva vasvibiswa. Asi chokudya hachisvitsi munhu pedyo naMwari. Hapana chatinorasikirwa nacho kana tikarega zvedu kudya uyewo hapana chatinowana kana tikadya. Asi chenjerai kuti rusununguko rwenyu irworwo rurege kuva chigumburo kuna vasina kusimba. Ndinodaro nokuti munhu akakuona iwe uno ruzivo uri pakudya mutemberi yavamwari vasiri ivo haazokurudzirwa here kana ari uya wehana nhete kuti adye chokudya chakapirwa kuna vamwari vasiri ivo? Saizvozvo noruzivo rwako, munhu uyu wehana nhete anoparadzwa, hama yakatofirwa naKristu. Nezvo nokutadzira hama dzako kudaro uchikuvadza hana dzadzo kana dziri nhete uri kutotadzira Kristu. Naizvozvo kana chokudya chichikonzera kuti hama yangu iputsike handimbofa ndakadya nyama kuti ndirege kukonzera hama yangu kuputsika. Handisi munhu akasununguka here? Handisi mupositori here? Handina kuona Jesu Kristu Tenzi wedu here? Imi hamusi muchero webasa rangu here muna Tenzi? Kana ndisiri mupositori kuna vamwe asi kwamuri ndiri mupositori nokuti imi ndimi chokuratidza nacho kuti ndiri mupositori muna Tenzi. Izvi ndizvo zvandingazvidzivirire nazvo kana vanhu vavakunditsoropodza. Hatina mvumo here nechokudya chedu nechokunwa chedu? Hatina mvumo here yokuperekedzwa nomukadzi hama savamwe vapositori kana vakomanavanun'una vaTenzi uye Kefasi kana kuti ini naBhanabhasi chete ndisu tisina mvumo yokurega kushandira chokutiraramisa? Ndoupi murwi wehondo anoita basa rake romuhondo iye achizviriritira. Ndiani anosima munda wamagirepisi asingadyi muchero wawo? Ndiani anofudza zvipfuo asingadyi mukaka wazvo? Ko izvi ndiri kungotaura zvokungotaurawo somunhu here? Mutemo haudarowo here? Ndinodaro nokuti zvakanyorwa mumutemo waMosesi zvichinzi, “Usaise dhonza matomu kana richitsokodzera mbeswa.” Mwari anongova nehanya namadhonza chete here? Haasi kungotaura nezvedu chete here? Zvakanyorerwa isu nokuti murimi anofanira kurima nechitarisiro nomupuri anopura nechitarisiro chokuwana chaanowana pane zvaanokohwa. Zvino kana takadyara zvinhu zvakanaka zvomweya pakati penyu kungave kunyanyisa here tikakohwa zvimwe zvinhu zvenyu? Kana vamwe vane mvumo iyoyo pamuri ko isu hatina mvumo iyoyo kutovapfuura here? Zvakadaro zvazvo isu hatina kushandisa mvumo yedu iyoyo. Tinotirira zvose panze pokuisa chipingidzo munzira yeShoko Rakanaka raKristu. Hamuzivi here kuti vanoshanda muTemberi vanowana chokudya chavo kubva muTemberi. Vanoshandawo paatari vanowana mugove wavo pazvibayiro zvinopirwa izvozvo. Saizvozvowo Tenzi akati vanoparidza Shoko Rakanaka vanofanira kuwana zvinovararamisa kubva kuShoko Rakanaka. Asi ini handina kushandisa mvumo yezvinhu zvose izvozvo. Uye handisi kunyorera kuti ndizviwanire izvozvo. Ini ndingatosarudza kufa pano kuti munhu anditorere chinondipa chacho kuzvirova dundundu. Nokuti kana ndikaparidza Shoko Rakanaka hazvisiri izvo zvinondipa kuti ndizvirove dundundu nokuti ibasa randinofanira kuita. Hameno zvangu kana ndikarega kuparidza Shoko Rakanaka! Dai kuri kuti ndinoita izvi nokuda kwangu ndingadai ndiine mubayiro asi kana kusiri kuda kwangu ndinongoriitawo sebasa randakapiwa. Ko zvino mubayiro wangu ndeweiko? Ndouya wokuti ndiparidze Shoko Rakanaka pasina muripo, ndisingagamuchiri zvandinokodzera pamusana pokuparidza Shoko Rakanaka. Kunyange ndisiri muranda waani zvake, ndakazviita muranda wavose kuti ndiwane vakawanda. KuvaJudha ndakazviita somuJudha kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomutemo ndakazviita sendiri pasiwo pomutemo kunyange zvazvo ndakanga ndisiri pasi pomutemo kuti ndiwane vakanga vari pasi pomutemo. Kuna vari kunze komutemo ndakaita sendiri kunze komutemo asi kwete somunhu ari kunze komutemo kuna Mwari asi ndiri pasi pomutemo waKristu kuti ndiwane vari kunze komutemo. Kuna vasina simba ndakava munhu asina simba kuti ndiwane vasina simba. Ndakava zvinhu zvose kuna vose kuti napose pandinogona, ndinunure vamwe vavo. Zvose izvozvo ndinozviitira Shoko Rakanaka kuti ndigowanawo zvandinowana muzvikomborero zvaro. Hamuzivisu kuti pamakundano okumhanya vamhanyi vose vanokwikwidzana asi mumwechete ndiye anowana mubayiro? Saizvozvo mhanyai kuti muuwane. Mumhanyi wose anozvibata muna zvose. Vanozviita kuti vawane ndaza inoparara asi isu tinozviitira ndaza isingaparari. Saka handingomhanya chimhanyemhanye. Handirove zvibhakera somunhu anorova mhepo. Ndinorova muviri wangu ndichiutonga ndichiitira kuti ndirege kuraswa, ini ndakamboparidzira vamwe. Hama ndingade kuti muzive kuti madzitateguru edu ose akanga ari pasi pegore. Uye vose vakapfuura nomugungwa. Vose vakabatanidzwa naMosesi nokuombekwa kwavakaitwa mugore nomugungwa. Vose vakadya chokudya chezvomweya; vose vakanwa chokunwa chezvomweya nokuti vakanwa padombo rezvomweya raivatevera. Dombo iroro raiva Kristu. Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo nokuti vakaitwa gatakata kuraiwa murenje. Zvino izvi zvinotiyambira kuti tirege kudokwairira zvakaipa sezvavakaita. Musanamate vamwari vasirivo sezvakaita vamwe vavo. Ndokusaka zvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vachidya nokunwa vakasimuka votamba.” Hatifaniri kuita zvounzenza sezvakaita vamwe vavo pakafa zviuru makumi maviri ane zvitatu pazuva rimwechetero. Hatifaniri kuedza Tenzi sezvakaitwa navamwe vavo vakauraiwa nenyoka. Hamufaniri kunyunyuta sezvakaita vamwe vavo vakaparadzwa noMuparadzi. Izvi zvakaitika kwavari seyambiro asi zvakanyorerwa kuti zvitidzidzise isu tiri panguva yamagumo apasi. Naizvozvo munhu wose anofunga kuti akamira ngaazvingwarire nokuti angadaro akaputsika. Hamuna kumbova nechiedzo chisina kumbowira vamwe. Mwari akatendeka. Haakuregei muchiedzwa zvinopfuura simba renyu. Pamwe nechiedzo anopawo nzira yokupukunyuka nayo kuti ukwanise kuchirwisa. Naizvozvo, hama dzangu, siyanai nokunamata vamwari vasivo. Ini ndiri kutaura kuvanhu vanonzwisisa zvionereiwo pachenyu zvandiri kutaura. Mukombe wokutenda watinokomborera hakusi kunwidzana ropa raKristu here. Ko chingwa chatinomedura hakusi kudyidzana muviri waKristu here? Pamusana pokuti pane chingwa chimwechete, isu takawanda kudai, tiri muviri mumwechete nokuti tinodya chingwa chimwechete. Tarisai muone vaIsiraeri kuti, savanhu vaya vanodya chibayiro havasikubatana here paatari? Ko zvino ndiri kurevei nazvo? Ndiri kureva kuti chokudya chakapirwa kunavamwari vasivo chinhu chinebasa here? Kana kuti mwari asiriye chinhu here? Kwete, zvandiri kureva ndezvizvi zvokuti zvavanopira vanopira kumweya yakaipa kwete kuna Mwari. Ini handidi kuti mudyidzane nemweya yakaipa. Hamunganwi mukombe waTenzi nomukombe wemweya yakaipa. Hamugoni kudya patafura yaTenzi muchizondodyirawo patafura yemweya yakaipa. Asi tinoda kudenha shanje dzaTenzi here? Takasimba kupinda iye here? Zvinhu zvose zvingave zvazvo zvinobvumirwa asi handizvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvingave zvazvo zvinobvumirwa asi handizvose zvinovaka. Munhu ngaarege kufunga zvinobatsira iye pachake chete asi ngaafunge zvinobatsira mumwe wake. Unogona kudya nyama iri yose inotengeswa pamusika usingabvunzi chinhu kuitira hana yako. Chikonzero chacho ndechokuti nyika ndeyaTenzi nazvose zvirimo mairi. Kana mumwe munhu asiri mutendi akakukoka kundodya iwe uchikwanisa kuenda, idya chose chaanokupa usina kubvunza kuitira hana yako. Asi mumwe munhu akati kwauri ichi chakapirwa sechibayiro, pakadaro apo, pamusana pomunhu akutaurira, uye kuitirawo hana, ndinoreva hana yake kwete yako, rega kuchidya. Ungati, “Rusununguko rwangu rwatadziswa kusvika parunoda here pamusana pehana yomumwe? Ko kana ndichitenda Mwari pakudya ndinopirwei mhosva chokudya chandinodya ndatenda?” Nokudaro kunyange ukadya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, zviite zvose kurumbidza Mwari. Asi usakanganise vaJudha kana vaGiriki kana Sangano raMwari. Sezvandinoita ini kuedza kufadza vanhu vose muna zvose zvandaiita ndisingazviitire ini asi kubatsira voruzhinji kuti vaponeswe. Nditevedzerei sokutevedzerawo kwandinoita Kristu. Ndinokurumbidzai nokundiyeuka kwenyu muna zvose uye nokuchengeta kwenyu magamuchidzanwa sokukudzidzisai kwandakaita. Asi ndinoda kuti muzive kuti Kristu ndiye musoro womurume oga oga, murumewo ndiye musoro womukadzi wake, Mwari ari iye musoro waKristu. Saka murume anonamata kana kuporofita akafukidza musoro anozvishoresa musoro wake. Asi mukadzi wose anonamata kana kuporofita asina kufukidza musoro anozvishoresa musoro wake. Zvakangofanana nokunge akaveurwa musoro wose. Kana mukadzi asingazvifukidzi musoro ngaaveure vhudzi rake. Zvino kana zviri zvakafumuka kuti mukadzi aguswe kana kuveurwa, ngaazvifukidze musoro nevhoiri. Murume haafaniri kuzvifukidza musoro nokuti iye mufananidzo nembiri yaMwari. Asi mukadzi imbiri yomurume, nokuti murume haana kuitwa achibva pamukadzi asi mukadzi akaitwa achibva pamurume. Uye murume haana kusikirwa mukadzi asi mukadzi akasikirwa murume. Pamusana paizvozvo mukadzi anofanira kuva nevhoiri mumusoro pamusana pavatumwa. Zvakadaro zvazvo, muna Tenzi, mukadzi haagoni kuvapo pasina murume, murumewo haagoni kuvapo pasina mukadzi. Sokuitwa kwakaitwa mukadzi achibva kumurume saizvozvowo murume anoberekwa nomukadzi. Asi vose vanobva kuna Mwari. Munozvionawo sei, zvinokodzera here kuti mukadzi anamate kuna Mwari asina kufukidza musoro? Ko iwo masikirwo akaitwa zvinhu pachawo haakudzidzisei here kuti, zvokuti murume achengete vhudzi refu, hazvimupi chimiro asi mukadzi akachengeta vhudzi refu ndizvo zvinotomudadisa nokuti akapiwa vhudzi rakareba kuti chive chokuzvifukidza nacho. Kana pane wenharo ndezvake; asi isu kana masangano aMwari hapana imwe tsika yatinoziva. Pane zvandavakukudzidzisai iye zvino handikurumbidzei nokuti pamunoungana hapana chakanaka asi zvakaipa zvoga zvoga. Ndinodaro nokuti, chokutanga, kana maungana sesangano ndinonzwa kuti pano kukamukana kuita mapato mapato pakati penyu. Ndingangozvibvuma izvozvo, nokuti mapato anofanira kuvapo kuti vakatendeka pakati penyu vaonekwe. Kana pamunoungana hachisi chirariro chaTenzi chamunodya, nokuti pamunenge mava kudya mumwe nomumwe anozvidyira chokudya chake. Mumwe anenge ane nzara asi mumwe akadhakwa. Ndochii ichocho; hamuna dzimba dzokudyira nokunwira kana kuti kushora sangano raMwari here kana kuti kuda kudukupisa vasina chavanacho? Ndoti kudiiko kwamuri? Ndokurumbidzai here? Kwete handingakurumbidzei. Nokuti zvandakagamuchira zvichibva kuna Tenzi Jesu ndizvo zvandakakugamuchidzaiwo zvokuti Tenzi Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, akatenda ndokuchimedura akati uyu muviri wangu unopirirwa imi. Itai izvi kuti mundiyeuke nazvo. Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro, akati uyu Mukombe wechitenderano chitsva muropa rangu. Itai izvi panguva dzose dzamunounwa kuti mundiyeuke. Nokuti panguva dzose dzamunodya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu munoparidza rufu rwaTenzi kusvikira auya. Naizvozvo, ani naani anodya chingwa ichi nokunwa mukombe waTenzi asingakodzeri achapara mhosva yokun'oresa muviri neropa raTenzi. Saka munhu ngaatange azviongorora ndokuzoti odya chingwa ichocho nokunwa mukombe iwoyo. Nokuti aninani anodya nokunwa asinganyatsoziva kuti muviri anozvidyira nokuzvinwira kutongwa. Ndizvo zvinopa vamwe venyu kuva vanhu vasina simba uye vanorwara; vamwe vakatofa. Asi tikanyatsozviongorora hatizotongwa. Isu tinotongwa nokurangwa naTenzi kuti tirege kuzonzi tine mhosva pamwechete nenyika. Naizvozvo hama dzangu kana moungana kuzodya, miriranai. Kana pane anonzwa nzara ngaadyire kumusha kuti murege kuzopiwa mhosva pamunoungana. Zvimwe zvasara izvi ndichazvigadzira ndauyako. Panyaya yezvipo zvaMweya, hama dzangu, handingadi kuti munge musingazivi. Munonyatsoziva kuti pamakanga muchiri vahedheni makateteretswa kunavamwari vasingatauri zvisinei kuti makaendeswa ikoko sei. Naizvozvo ndinoda kuti munzwisise kuti hapana munhu anotaura ainaMweya waMwari kuti Jesu ngaave norushambwa. Hapanawo angati Jesu ndiTenzi iye asina Mweya Mutsvene. Kune mhando dzakasiyana — siyana dzezvipo asi anozvipa ndiye Mweya mumwecheteyo. Kune mhando dzamabasa dzakasiyana — siyana asi Tenzi ndiye mumwechete. Kune mhando dzokushanda kwakasiyana — siyana asi Mwari ndiye mumwechete anozvifemera muna vose. Mune mumwe nomumwe munoonekwa kuti muna Mweya Mutsvene anoshanda maari kuti zvibatsire ruzhinji. Mumwe anopiwa, nomuna Mweya Mutsvene, kutaura noungwaru; mumwewo achipiwa kutaura noruzivo zvichibva kuna Mweya mumwecheteyo; mumwewo chipo chechitendero chinobva kuna Mweya mumwecheteyo. Mumwewo chipo chokurapa chinopiwa naMweya mumwecheteyo. Kuno mumwe chipo chokuita zvishamiso; kuno mumwewo chipo chokuporofita; mumwewo achipiwa chipo chokusiyanisa mweya yakaipa neyakanaka; kuno mumwewo chipo chokutaura nendimi dzakasiyana — siyana; mumwewo chipo chokududzira ndimi. Zvose izvozvi zvinofemerwa naMweya mumwecheteyo anogovera munhu nomunhu sokuda kwake. Sezvakangoita muviri kuti mumwechete, asi uine nhengo dzakawanda uye kuti nenhengo dzose idzodzo dzomuviri, kunyange dzakawanda kudaro, muviri mumwechete, ndizvo zvimwechetezvo naKristu. Chikonzero ndechokuti nokuombekwa kwatakaitwa naMweya mumwechete, tose takaombekwa mumuviri mumwechete, vangave vaJudha kana kuti vaGiriki, vangave varanda kana vasununguki tose takanwa Mweya mumwechete. Muviri hausi mutezo mumwechete asi mizhinji. Dai kuri kuti tsoka inoti nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. Dai kuri kutiwo nzeve inoti nokuti handisi ziso, handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. Dai muviri wose waingova ziso roga kunzwa, waizonzwa nei? Dai muviri wose waingova nzeve yoga kunhuwidza, waizonhuwidza nei? Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi. Sezvazviri, iye zvino, kune mitezo yakawanda asi muviri uri mumwechete. Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe;” kanawo musoro kuti uti kumakumbo, “Handina basa nemi.” Asi zvinotovapo ndezvizvi zvokuti mitezo yomuviri inoita seisina kusimba ndiyo isingafaniri kushaika. Uye, mitezo yomuviri yatinoona seisingakudzikani, ndiyo yatinonyatsoremekedza. Mitezo inonyadzisa inoremekedzwa zvakatoti, zvisingadiwe nemitezo yedu isinganyadzisi. Asi Mwari akanyatsogadzira muviri, achipa rukudzo kune mutezo usina basa guru; izvi kuri kuti parege kuva nokupesana mumuviri asi kuti mitezo ienzane pakuchengetana. Kana mumwe mutezo ukarwadziwa yose inorwadziwa pamwechete. Kana mumwe mutezo ukakudzwa yose inofara pamwechete. Zvino imi ndimi muviri waKristu uye mumwe nomumwe wenyu mutezo womuviri iwoyo. Mwari akapa vanhu mabasa musangano sezvizvi, vokutanga vapositori, vechipiri vaporofita, vetatu vadzidzisi kouya vaiti vezvishamiso koti varapi kozoti vabatsiri navafambisi vamabasa navatauri vendimi dzakasiyana — siyana. Ko vose vapositori here? Ko vose vaporofita here? Ko vose vadzidzisi here? Ko vose vanoita zvishamiso here? Ko vanhu vose here vane zvipo zvokurapa? Ko vanhu vose here vane chipo chendimi? Ko vanhu vose here vanodudzira? Asi disisai kuva nezvipo zvikuru. Ini ndichakuratidzai nzira yakatonyanyonakisisa. Kunyange zvangu ndikataura nendimi dzavanhu kana dzavatumwa asi ini ndisina rudo ndinongova dare rinorira kana makwakwakwa esimbi anorira. Kunyange ndiine chipo chokuporofita ndichinzwisisa zvakavandika zvose, ndiine ruzivo rwose; kunyange dai ndiine chitendero chakaperera chinosudurudza makomo asi ndisina rudo hapana zvandiri. Kunyange dai ndikagovera zvose zvandinazvo uye kunyange ndikapa muviri wangu kuti upiswe asi ndisina rudo hapana chandinowana. Rudo runo mwoyo murefu, rune mutsa; rudo haruna shanje uye haruzvitutumadzi haruzvikudzi. Haruiti zvisina hunhu. Rudo harungongwarira zvarwo bedzi; rudo harungoshatirwa shatirwa nhando, haruna pfundepfunde. Rudo harufariri zvisakarurama asi runofarira zviri pachokwadi. Rudo runotakura zvose. Runoramba ruine chitendero. Runoramba ruine chitarisiro, harurasi mwoyo runotirira zvose. Rudo harumboperi. Kuporofita kuchapera; kutaura nendimi kuchaguma. Ruzivo ruchapfuura, nokuti ruzivo rwedu haruna kuzara. Kuporofita kwedu hakuna kuzara. Zvino kana chakazara chouya, chisina kuzara chiya chinobva chapera basa. Pandakanga ndichiri mwana muduku ndaitaura somwana muduku; ndaifunga somwana mudiki ndairangarira somwana muduku asi pandakazova murume mukuru ndakakanda pasi zvohwana huduku. Pari zvino tinoona muchiringiriro zvamadzerere. Asi mune ramangwana tichaonanazve uso nouso. Iye zvino ndinoziva zvishoma asi mune ramangwana ndichanyatsoziva sokunyatsozivikanwa kwandakaitwa. Saka chitendero nechitarisiro norudo zviripo zviri zvitatu, asi chikuru chazvo rudo. Rudo ngaruve ndicho chinangwa chenyu muvavarire kwazvo kuwana zvipo zvomweya zvikuru kuti muporofite. Chikonzero chacho ndechokuti anotaura norurimi rusingazivikanwi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari nokuti hapana anomunzwisisa asi anotaura zvakavandika muna Mweya. Asi uyo anoporofita anotaura kuvanhu zvinovavaka nokuvakurudzira nokuvanyaradza. Anotaura norurimi rusingaziikanwi anozvisimbisa iye pachake asi uyo anoporofita anosimbisa sangano. Zvino ndingade zvangu kuti mose mutaure nendimi asi zvikuru kuti muporofite. Anoporofita mukuru kupinda anotaura nendimi dzisingazivikanwi kusatoti mumwe achiturikira kuti sangano risimbiswe. Ko zvino, nhai hama dzangu, ini ndingakubatsirei sei kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi dzisingazikanwi kusatoti ndakuunzirai zvakanga zvakavandika kana kuti ruzivo kana kuti zvakaporofitwa kana chidzidziso. Kunyange zvinhu zvokuimbisa zvisina upenyu senyere kana dimbwa kana zvisingasiyanisi maungira azvinoburitsa munhu angazive sei rumbo rwuri kuimbwa? Kana hwamanda ikarira asi kurira kwayo kusina zvakunoreva kuvanhu ndiani angagadzirire kundorwa? Ndizvo zvimwechetezvo nemi kana mukataura nendimi dzisingazivikanwi, kozvino munhu angazive sei zvinotaurwa? Munenge muchitotaura kumhepo zvenyu. Ichokwadi kuti kune mitauro mizhinji yakasiyana — siyana pasi pano asi hapana usina zvaunoreva. Asi kana ndisingazivi zvinoreva mutauro iwoyo ndichava wechirudzi kumutauri uye mutauri achava wechirudziwo kwandiri. Ndizvo zvimwechete nemi, zvamunodisisa kuona zvinhu zvinoratidza kuti Mweya Mutsvene aripo, vavarirai kuvaka sangano. Naizvozvo anotaura nendimi dzisingazivikanwi ngaanamate kuti apiwe simba rokuturikira nokuti kana ndichinamata norurimi rusingazivikanwi, mweya wangu unonamata, asi pfungwa dzangu hadziwane muchero mazviri. Ko zvino ndoita sei? Ndichanamata nomweya uye ndichanamatawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba nemweya wangu asi ndichaimbawo nepfungwa dzangu, nokuti ukatenda nemweya ko munhu asina kuzvidzidza angati, “Ameni” sei kumunamato wako wokutenda iye asingazivi zvauri kutaura? Unogona kutenda zvakanakisisa zvako asi mumwe wako asina chaanobatsirwa nacho. Ndinotenda Mwari kuti ndinotaura nendimi dzisingazivikanwi kupfuura imi mose. Asi musangano ndingatoda kutaura mazwi mashanu ndichishandisa pfungwa dzangu kuti ndidzidzise vamwe pane kutaura mazwi zviuru gumi mururimi rusingazivikanwi. Hama dzangu musaite savana vaduku mukufunga kwenyu. Asi pakuita zvakaipa ivai zvenyu savana vaduku, asi pakufunga ivai vanhu vabve zero. Zvakanyorwa mubhuku romutemo zvichinzi; “Nomuvanhu vendimi dzisingazivikanwi uye nemiromo yeve chirudzi, ndichataura kuvanhu ava. Kunyange ipapo havambonditeerera,” ndizvo zvinotaura Tenzi. Nokudaro ndimi dzisingazivikanwi hachisi chiratidzo chavatendi asi chavasiri vatendi. Kuporofita hakusi kwavasingatendi asi kwavatendi. Dai kuri kuti sangano rose rinoungana vagotaura vose nendimi dzisingazivikanwi; vasina kuzvidzidzira kana vasiri vatendi vakapindamo, havazoti muri kupenga here? Asi kana vose vachiporofita, asingatendi kana asina kudzidzira akapindamo anobva abaiwa mwoyo navose achibvuma mhosva dzake. Zvakavandika zviri mumwoyo make zvinobuda pachena naizvozvo anowira pasi nouso achinamata Mwari achitaura pachena kuti Mwari ari pakati penyu. Ko zvino poitwa sei hama? Pamunoungana, mumwe anenge ane rwiyo, mumwe ane chidzidzo, mumwewo ane zvaakaoneswa, nomumwewo anenge achitaura rurimi rusingazivikanwi kana kududzira, zvose ngazviitwe kuti zvivake sangano. Kana pane vanotaura nendimi dzisingazivikanwi, ngavave vaviri chete kana kuti vatatu vachiravana. Kana vatowandisa ngavave vatatu, uye vachipana nguva, mumwe achiturikira. Kana pasina anoturikira, vose ngavanyarare musangano, munhu achizvitaurira iye pachake uye achitaura kuna Mwari. Vaporofita ngavataure vaviri kana vatatu. Vamwe vachiongorora zvinotaurwa. Kana mumwe agere pasi akawana zvaanoratidzwa, wokutanga ngaanyarare nokuti munokwanisa mose kuporofita muchitevedzana kuti vose vawane chavanodzidza; uye vose vakurudzirwe. Muporofita anofanira kuzvibata nemweya waanenge anawo pakuporofita, nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare somumasangano ose avatsvene. Vakadzi ngavanyarare mumasangano nokuti havabvumirwi kutaura asi vanofanira kuzviisa pasi sokutaura kunoita mutemo. Kana pane chavanoda kuziva ngavabvunze varume vavo kumba, nokuti chinhu chinonyadzisa kuti mukadzi ataure musangano. Ko kutaura here ikoko? Ko iro shoko raMwari rakabva kwamuri here? Rakangosvika kwamuri moga here? Kana kune mumwe anofunga kuti muporofita kana kuti munhu wezvemweya, anofanira kuona kuti zvandiri kukunyorerai mutemo waTenzi. Kana munhu asingagamuchiri izvi naiyewo haagamuchirwi. Naizvozvo hama dzangu vavarirai kuporofita musarambidze kutaura nendimi dzisingazivikanwi. Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo kwawo zvakarongwawo zvakanaka. Hama dzangu ndingade kukuyeuchidzai Shoko Rakanaka randakakuparidzai ramakagamuchirawo ramumire naro rinokuponesai kana mukaribatisisa; kusatoti makatenda mariri pasina. Ndakakugamuchidzai sechinhu chikuru kwazvo chokutanga chandakanga ndakagamuchirawo chokuti Kristu akafira zvitadzo zvedu sokutaura kunoita Magwaro Matsvene, uye kuti akavigwa akamutswa nezuva retatu sokutaura kwamagwaro matsvene, uye kuti akazviratidza kuna Kefasi ndokuzozviratidzawo kuna vane gumi navairi. Akazozviratidza kune vehama vanopfuura mazana mashanu panguva imwecheteyo. Vazhinji vavo vachiri vapenyu kunyange zvazvo vamwe vakafa. Akazozviratidza kuna Jemusi ndokuzotevera kuvapositori vose. Pokupedzisira, sokune munhu akazvarwa nguva yake isati yasvika akazviratidzawo kwandiri. Chikonzero chacho ndechokuti ini ndiri wokupedzisira kuvapositori, ndisingakodzeri kudaidzwa kunzi mupositori nokuti ndakashusha sangano raMwari. Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri. Nyasha dzake kwandiri hadzina kushaya basa. Zvakatoitika ndezvokuti ndakashanda zvakaomarara kupinda vose. Kunyange zvazvo ndakanga ndisirini asi nyasha dzaMwari mandiri. Hazvina mhosva kuti ndivo here kana kuti ini, zvatinoparidza ndizvozvo uye ndizvo zvamakatenda. Ko zvino kana Kristu achiparidzwa kuti akamutswa kuvafi, ko vamwe venyu vangati hakuna zvokumuka kwavakafa sei? Zvino kana pasina zvokumuka kwavakafa saka Kristu haana kumutswa. Kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo uye chitendero chenyu hachina basa. Isu tinobva taonekwa kuti tiri kurevera Mwari nhema nokuti takapupurira Mwari kuti akamutsa Kristu waasina kumutsa kana chiri chokwadi kuti vakafa havamutswi. Chiripo ndechokuti, kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa. Kana Kristu asina kumutswa, chitendero chenyu hachina basa uye muchiri muzvitadzo zvenyu. Naizvozvowo avo vakafa muna Kristu vakatsakatika. Muna Kristu kana tariro yedu ichingova mune zvoupenyu huno chete, pavanhu vose, ndisu vanhu vanonzwisa urombo zvikuru kwazvo. Asi chokwadi ndechokuti Kristu akamutswa kuvafi semichero yokutanga yaavo varere. Sokuuya kwakaita rufu nokumunhu mumwechete nokumunhu mumwechetewo kwakauya kumuka kwavakafa. Sokufa kunoita vanhu vose muna Adhamu, saizvozvowo muna Kristu vanhu vose vanomutswa. Asi mumwe nomumwe achamuka pachijanha chake, Kristu ari iye muchero wokutanga; kozoti, pakuuya kwake, vanhu vanenge vari vanhu vaKristu. Ndipo panozouya magumo panenge Kristu oturira umambo kuna Mwari Baba apedza kuparadza mweya mikuru mikuru youshe neyoukuru neyavanamasimba. Nokuti Kristu anofanira kutonga kusvikira Mwari aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisa anofanira kuparadzwa, rufu. Nokuti zvinonzi, “Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Zvino kana zvichinzi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti hazvibatanidziri naiye, Mwari akaisa zvinhu zvose pasi pake. Kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake nezvo Mwanakomana pachakewo achava pasi pouyo akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari ave Mwari wazvose muna zvose. Ko kana zvisiri izvo vanoombekerwa vakafa vanenge vachifungei kana vakafa vasingambomutswi? Vanoombekerwei panzvimbo pavo? Ko chatinogarira munhamo nguva dzose chiiko? Hama dzangu ndinopika nemi vandinodada navo muna Kristu Jesu Tenzi wedu kuti kufa ndokwangu zuva nezuva. Kana vakafa vasingamutswi muvafi, ini somunhu ndinowanei nokurwisana kwandakaita nezvikara kuEfesusi. Zviri nani kuti titi, “Ngatidyei tinwe zvedu nokuti mangwana tichafa.” Musanyengedzwe zvenyu, shamwari dzakaipa dzinoparadza hunhu. Nyatsofungai, musiyane nezvitadzo nokuti vamwe havazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyare. Asi mumwe angabvunze kuti, “Ko ivo vakafa vanomutswa sei? Vanenge vano muviri wakaita sei?” Benzi romunhu! Chaunodyara hachimeri kana chisina kutombofa. Chaunodyara, ingave tsanga yekoroni kana chimwe chakadaro hachisicho chinozobuda chakadaro asi Mwari ndiye anochipa chimiro chacho pamadiro ake. Nyama haina kufanana yose yose. Pane nyama yavanhu nenyama yemhuka nenyamawo yeshiri neimwe yehove. Kune zvinhu zvomudenga nezvinhu zvapanyika. Kupenya kwezvokudenga kwakasiyana nokupenya kwezvapasi. Kune kupenya kwezuva nokupenya kwomwedzi. Kuno kupenya kwenyenyedzi. Nyenyedzi dzinosiyana pakupenya kwadzo. Ndizvo zvimwechetezvo nokumuka kwavakafa. Chinodyarwa chinoparara asi chinomutswa hachiparari. Chinodyarwa mukuzvidzwa asi chichimutswa chava kupenya; chinodyarwa muutera asi chichimutswa chava nesimba. Chinodyarwa somuviri unobatika asi chinomutswa chava muviri womweya. Zvino kana pano muviri unobatika kuno muviriwo womweya. Ndizvo zvakanyorwa zvichinzi munhu wokutanga, Adhamu akava chinhu chipenyu; Adhamu wokupedzisa akava mweya unopa upenyu. Asi hausi womweya unotanga asi unobatika kozoteverwa nowomweya. Munhu wokutanga akabva kuvhu, munhu wevhu. Munhu wechipiri anobva kudenga. Vanhu vehuruva vakafanana nomunhu uya wevhu, saizvozvowo vanhu vokudenga vakafanana nomunhu wokudenga. Sokutodzana kwatakaita nomunhu wehuruva tichatodzanawo noMunhu wokudenga. Ndinokutaurirai izvi, hama dzangu, zvokuti, chakaitwa nenyama neropa hachikwanisi kuwana umambo hwaMwari uye chinofa hachigoni kuwana kusafa. Chinzwai ndava kukutaurirai, chinhu chakavandika chisingatsananguriki chokuti, hatisi kuzofa tose asi tose tichasandurwa, nenguva isipi, nokubwaira kweziso chaiko pakurira kwehwamanda yokupedzisira. Hwamanda icharira, vakafa vachamutswa vasisafi, isu tobva tasandurwa; nokuti muviri unofa uyu unofanira kupfeka kusaora uye muviri uyu unofa unofanira kupfeka kusafa. Kana muviri unoora wapfeka kusaora uye muviri unofa wapfeka kusafa ndipo pachazoitika zviya zvakanyorwa zvinoti; Rufu rwakamedzwa nokukurirwa kwarwakaitwa Nhai rufu kukurira kwako kuripi? Iwe rufu rumborera rwako ruripi? Rumborera rwerufu chitadzo. Simbawo rechitadzo mutemo. Mwari ngaatendwe anoita kuti tikunde nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu. Naizvozvo, hama dzangu dzadiwa, rambai makasimba musingatsukutsiki musingasiyani kwazvo nebasa raTenzi tichiziva kuti muna Tenzi basa renyu harishai maturo. Panyaya yezvipo zvinounganidzirwa vanhu vaMwari, sezvandakaudza masangano okuGaratia kuti aite, itaiwo saizvozvo. Pamusi weSvondo, svondo rimwe nerimwe munhu oga oga ngaaise zvinhu parutivi azvichengete maererano nokuwana kwake kuti zvirege kuzounganidzwa ndatouya. Pandinosvikako ndichatumira vanhu vamunenge manditumira netsamba vachitakura zvipo zvenyu ndichienda nazvo kuJerusaremu. Kana zvichidikanwa kuti ini ndiendewo vachandiperekedza. Ndichakushanyirai ndambopfuura nokuMasedhonia nokuti ndinoda kupfuura nokuMasedhonia. Pamwe ndichagara nemi kana kutopedza nguva yechando ndiinemi. Imi mozondibatsirawo kuenderera mberi nerwendo rwangu kose kwandinenge ndichienda. Handisi kuda kukuonai zvokungokunyepudzai chete. Ndinotarisira kuva nemi kwechinguva kana Tenzi achida. Ndichagara kuEfesusi kusvika paPendekositi nokuti ndanyatsozarurirwa mukova webasa rakanakisisa asi kune vavengi vakawanda. Kana Timoti auya itomugadzanisai hana pakati penyu nokuti ari kuita basa raTenzi sezvandiri kuita. Ngaparege kuva nomunhu anomushora. Muperekedzei aite rwendo rwake norugare kuti adzokere kwandiri nokuti ndinomutarisira kuno pamwe nevehama. Panyaya yezvaAporosi, hama yedu, ndakamukumbirisa kwazvo kuti azokushanyirai pamwechete navamwe vehama asi chakanga chisiri chido chake kuti auye iye zvino. Achauya kana awana mukana. Rindirai, makasimba nacho chitendero, ivai nechivindi makagwinya. Zvose zvamunoita zviitei norudo. Ndinokukurudzirai hama dzangu, sezvamunoziva kuti mhuri yokwaStefanasi ndiyo yakatanga kupinduka muAkaya vakazvipira kushandira vanhu vaMwari kuzviisa pasi pavanhu vakadaro napasi pavavo vanobatsirana navo navashandi. Ndinofara nokuuya kwaStefanasi naFotunatusi naAkayakusi nokuti vakakutsivai pamakanga musipo. Vakandipa kufefeterwa mwoyo kunyange nemiwo. Remekedzai vanhu vakadaro. Masangano okuAsia anokukwazisai. Akwira naPrisika neSangano rinopindira pamba pavo vanokukwazisai zvikuru muna Tenzi. Vehama vose vanokukwazisai. Kwazisanai muchiomberana zvakarurama. Iniwo Pauro ndinokukwazisai ndichitonyorawo noruoko rwangu. Kana pane asina rudo naTenzi ngaave norushambwa. Tenzi wedu uyai. Nyasha dzaTenzi Jesu ngadzive nemi. Ini ndinokudai mose muna Kristu Jesu. Ameni. Ndini Pauro mupositori waKristu Jesu, ndakasarudzwa naMwari, ndinokunyorerai ini nehama yedu Timoti, imi vesangano raMwari riri kuKorinde pamwechete navatsvene vose vari muAkaya yose ndichiti Mwari Baba wedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare. Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose, anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari. Nokuti sokubatana zvakanyanya kwazvo kwatinoita naKristu mumatambudziko ake saizvozvowo nokuna Kristu tinonyaradzwawo zvikuru kwazvo. Kana isu tichitambudzika, ndimi vatinotambudzikira kuti munyaradzwe nokuponeswa. Kana tikanyaradzwa imi munobva mawana kunyaradzwawo kwamunonzwa kana muchitirira nemwoyo murefu matambudziko mamwechetewo atinotambudzika. Chivimbo chedu mamuri hachizunguzuki nokuti tinoziva kuti sokubatana kwatinoita nemi mumatambudziko edu, muchanyaradzwawo pamwechete nesu. Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku. Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa. Akatinunura munyatwa yorufu uye achatinunura. Chivimbo chedu chiri maari chokuti achatinunurazve. Imi mukatibatsirawo neminamato yenyu, vazhinji vachatenda nezvikomborero zvatinenge tapiwa pamusana peminamato yavazhinji yatinenge taitirwa. Chatinodada nacho uye chinopupurwawo nehana yedu ndechichi chokuti takagarisana navamwe zvakanaka panyika asi zvikuru nemi, tiri vatsvene nokuva pachokwadi chaMwari. Hatina kuzviita noungwaru hwapasi pano asi nenyasha dzaMwari. Hatikunyorerei zvamusingakwanisi kuverenga nokunzwisisa. Ndinotarisira kuti muchanyatsonzwisisa, sokutinzwisisa kwamunoita zvishoma kuti munogonawo kudada nesu sokudadawo kwatinoita nemi pazuva raTenzi Jesu. Ndaiva nechokwadi chaicho nazvo zvokuti ndakanga ndatoronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti muve norufaro rwakapetwa kaviri. Ndaida kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia uye pakudzoka kwangu kuMasedhonia kuti mundibatsire parwendo rwangu kuJudhea. Pandaironga izvozvi ndaisandukasanduka here? Ndinoronga zvinhu zvangu mukungozvifunga somunhu, ndichigona kuti, “Hungu” “Nakwete” panguva imwecheteyo here? NaMwari chaiye akatendeka, shoko redu kwamuri harina kunge riri hungu nakwete, nokuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari watakaparidza pakati penyu, ini naSirivhanusi naTimoti, akanga asiri hungu nakwete. Maari maingova nahungu. Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari zvinowana hungu wazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, “Ameni” nemaari kuti Mwari arumbidzwe. Mwari ndiye anoita kuti isu nemi tive nechokwadi muupenyu hwedu muna Kristu akatiita vaKristu. Akaisa rupawo rwake patiri akatipa Mweya wake mumwoyo medu sorubatso. Mwari ngaandipupurire kuti chandakaregerera kuuya kuKorinde kwaiva kuti ndirege kukunetsai. Hatisi kukuudzai zvamunofanira kutenda asi tinoshanda pamwechete kuti muve norufaro nokuda kokuti mumire makasimba muchitendero chenyu. Ini ndakafunga pachangu kuti handifaniri kukushanyirai zvingaite kuti imi musuwe nokuti ndikakurwadzisai ndiani achaita kuti ndifare, kusiya iyeyo mumwecheteyo wandinenge ndasuwisa. Kunyora kwandakaita ndakakunyorerai kuti kana ndauya ndirege kurwadziswa navanhu vanofanira kuti vaite kuti ndifare. Ndinonyatsoziva kuti kana ini ndichifara nemiwo mose munofara. Ndakakunyorerai ndakasuwa kwazvo ndichirwadziwa mumwoyo uye ndiine misodzi padama, kwete kuti ndikurwadzisei, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinarwo nemi. Kana pane akarwadzisa vamwe mwoyo handisini waakarwadzisa. Neimwe nzira, tisingadi zvedu kumuomesera, tingangoti akakurwadzisai mose. Kumunhu akadai shamhu yamakamupa imi voruzhinji yakakwana zvokuti dai machimuregerera zvenyu muchimunyaradza nokuti angadaro akasvika pakunyanyoodzwa mwoyo nokusuruvara kukuru. Saka ndinokukumbirai kuti munyatsomuratidza kuti munomuda. Ndokusaka ndakanyora kuti ndione ndingozivawo kuti imi munoteerera here muna zvose. Ani zvake wamunoregerera, ndinomuregererawo. Kuregerera ikoko dai kuri kuti pane chandinofanira kuregerera ndakazviita pamusana penyu pamberi paKristu. kuti tirege kudyiwa munyati naSatani nokuti tinoziva dzaanotamba. Pandakasvika kuTiroasi kundoparidza Shoko Rakanaka raKristu, ndakazarurirwa musuo muna Tenzi asi ndakanga ndisina zororo mumwoyo nokuti handina kuwana hama yangu Titosi ikoko. Saka ndakavaoneka ndikaenda kuMasedhonia. Mwari ngaatendwe anoita kuti, muna Kristu tikurire nguva dzose uye nematiri anoparadzira kose vose kunhuwirira kwokuzivikanwa kwake. Iyesu ndisu kunhuwirira kwaKristu kuna Mwari pakati pavari kuponeswa napakati pavari kuparadzwa. Kune vamwewo, munhuwi unouraya, kune vamwewo munhuwi unopa upenyu. Ndiani angakwanisane nazvo izvi? Hatina kufanana navamwe vanoita shawo neShoko raMwari, asi tinoita savanhu vakatumwa vanotendeka pamberi paMwari tichitaura muna Kristu. Totangazve here kuzvizuwidza nezvatiri? Tingade here sezvingadiwe navamwe, matsamba okukutaurirai zvatiri kana matsamba akadaro anobva kwamuri? Iyemi ndimi tsamba yedu inotaura zvatiri, yakanyorwa pamwoyo yenyu kuti izivikanwe nokuverengwa navanhu vose. Imi pachenyu munotoratidza kuti muri tsamba inobva kuna Kristu, muchero webasa redu, isina kunyorwa neingi asi naMweya waMwari mupenyu. Haina kunyorwa pamafendefa amatombo asi pamafendefa emwoyo yavanhu. Ndicho chivimbo chatinacho naMwari nokuna Kristu. Hazvirevi kuti tinokwanisana nazvo pachedu kuti titi isu zvinobva kwatiri. Kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari akatiita kuti tikwanise kuva vashandiri vechitenderano chitsva chisina kunyorwa asi chomweya. Nokuti chakaitwa zvokunyorwa chiya chinouraya asi Mweya anopa upenyu. Zvino kana zvinounza rufu zvakanyorwa zvichiitwa zvokutemerwa pamabwe, zvakauya nokupenya kwakadaro zvokuti vaIsiraeri vakatadza kutarisa uso hwaMosesi pamusana pokubwinya kwahwo kunopera, ko kutozoti zvaMweya zvinopenya zvakadii? Zvino kana zviya zvinopa mhosva zvaiva nokupenya, zvinopa ururami zvinofanira kuzvikunda kure kure. Saizvozvo apa chaimbova nokupenya kukuru hachichambopenya zvacho pamusana pokupenya kunochikunda. Kana chino kupenya kunopera chakauya nokupenya kukuru, chinokupenya kusingaperi chinofanira kuva nokupenya kwakatokurisisa. Zvatiine chitarisiro chakadaro, tine chivindi. Hatiiti saMosesi aizvifukidza uso nejira kuti vaIsiraeri varege kuona magumo okupenya kukuru kwakanga kwava kupera. Mwoyo yavo yakabva yaomarara nokuti nanhasi wose pavanoverenga chitenderano chakare, jira rimwechetero rinoramba rakafukidza nokuti rinobviswa chete muna Kristu. Kunyange nanhasi, pose panoverengwa Mosesi, jira rinenge rakafukidza pfungwa dzavo, asi kana munhu akapindukira kuna Tenzi, jira riya rinobva rabviswa. Zvino Tenzi wacho ndiMweya. Pana Mweya waTenzi pano rusununguko. Isu tose takabviswa jira riya, mbiri yaTenzi inopenya matiri uye tiri kusandurwa tichitodzana naye, kupenya kwedu kuchingoramba kuchikurakura nokuti izvi zvinobva kuna Tenzi, Mweya. Naizvozvo, Mwari, nenyasha dzake, zvaakatipa basa iri hatirasi mwoyo. Takasarudza kusamboita zvinhu zvinonyadzisa nezvomuchivandevande. Takaramba kuita zvoujarijari kana kushatisa shoko raMwari. Asi tinozviratidza zvatiri kuhana yomunhu wose zvake takamira pachokwadi chizere pamberi paMwari. Kunyange zvazvo Shoko redu Rakanaka rakafukidzwa, rakafukidzwa chete kuna vari kuparara. Pane zvaivava, mwari wapasi pano akapofomadza pfungwa dzavasingatendi kuti varege kuona mwenje weShoko Rakanaka rembiri yaKristu, iye akatodzana naMwari. Isu hatizviparidzi asi watinoparidza ndiJesu Kristu saTenzi, isu tiri varanda venyu pamusana paJesu, nokuti iye Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu, kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri muuso hwaKristu. Asi upfumi uhu tinaho huri muhari dzevhu, kuratidza kuti simba ramasimba ose nderaMwari, kwete redu. Tinotambudzwa nenzira dzakasiyana — siyana asi hatishai pokupunyuka napo, tinoshaiswa mazano asi hatirasi mwoyo; tinoshushwa asi hatisiiwi tiri toga; tinorigirwa pasi asi hatiparadzwi. Tinogara takaberekana narwo rufu rwaJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumiviri yedu. Paupenyu hwedu, tinogara takangotarisana narwo rufu pamusana paJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. Naizvozvo, isu tinogara takafudzwa narwo rufu asi imi muri muupenyu. Zvino zvatino mweya mumwechetewo wechitendero wakanga uine uyo akanyora achiti, “Ndakatenda ndikataura, saizvozvo,” isuwo takatenda tinotaura saizvozvo tichiziva kuti iye akamutsa Tenzi Jesu achatimutsawo naJesu achizotiunza pamwechete nemi paari. Zvose izvi kuitira imi, kuti nyasha nokupararira kwadzinoita kuvanhu vakawanda kutendawo kuwande, kuti Mwari agorumbidzwa nazvo. Nezvo hatirasi mwoyo. Kunyange tavakuchembera, umunhu hwedu hokunze; hwomukati huri kutovandudzwa zuva nezuva, nokuti tunhamo tunopera utwu, twuri kutigadzirira mbiri isingaperi, inoremerera, isina chokuienzanisa nacho. Chikonzero chacho ndechokuti ziso redu harisi pazvinhu zvinoonekwa asi kuzvinhu zvisingaonekwi nokuti zvinhu zvinoonekwa zvinopfuura asi zvinhu zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi. Isu tinoziva wani kuti kana muviri uno womusasa wapasi pano watigere wapazwa, tinowana imba inobva kuna Mwari isina kuvakwa namaoko avanhu inogara nokusingaperi kudenga. Zvino imomu tinotura befu tichisuwira kuti imba yedu yokudenga itifukidze kuti taifuka, tirege kuonekwa tisina kufuka. Nokuti patinenge tichiri mumusasa uyu tinotura befu takaremerwa, kwete kuti tipfekenurwe, asi kuti titopfekedzwa, kuti chinofa chinyatsosandurwa noupenyu. Iye akatigadzirira izvi ndiMwari akatipa Mweya sorubatso. Naizvozvo takatsunga mwoyo nguva dzose. Tinoziva kuti patinenge takaita musha mumuviri wedu, tinenge tichitova kure naTenzi nokuti pakufamba kwedu tinotungamirirwa nechitendero, kwete nezvatinoona. Takatsunga mwoyo kwazvo zvokuti tinoona zviri nani kuti titosiya musha womumuviri tichindoita musha wedu naTenzi. Naizvozvo kunyange tiri pamusha kana kure nawo chatinovavarira kumufadza nokuti tose zvedu tinofanira kuuya pamberi pechigaro chokutonga chaKristu kuti munhu wose atambire zvakanaka kana zvakaipa maererano nezvaakaita ari mumuviri. Saizvozvo, sokuziva kwatinoita kuti kutya Mwari kunorevei, tinokurudzira vanhu; asi zvatiri zvinozivikanwa naMwari uye tinotarisira kuti zvinozivikanwawo nehana dzenyu. Uku hakusi kuda kukutaurirai zvatiri zvakare asi kuti muwane chikonzero chokuti mudade nesu kuti mukwanise kupindura avo vanozvikudza pamusana pechimiro chomunhu panze pokuzvikudza nounhu hwomunhu. Kana tichiita setinorasa njere, tinozviitira Mwari uye kana tichiita savanhu kwavo tinoitira imi. Chikonzero chacho ndechokuti rudo rwaKristu ndirwo runotimanikidza kuita zvinhu nokuti zvatakatoona ndezvokuti, munhu mumwechete akafira vanhu vose, naizvozvo vanhu vose vakafawo. Iye akafira vanhu vose kuti vanorarama varege kuzviraramira asi kuti vararamire iye akavafira akamutswa. Saizvozvo kubvira zvino hatichaona munhu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo. Saizvozvo kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya. Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa. Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu. Mwari anoisa chikumbiro chake nokwatiri. Tinokutetererai, takamirira Kristu tichiti, wadzanai naMwari. Pamusana pedu akaita kuti iye ave chitadzo uyo akanga asingazivi chinonzi chitadzo kuti maari tive noururami hwaMwari. Tinokukumbirisai tichishanda pamwechete naMwari kuti murege kungogamuchira nyasha dzaMwari pasina nokuti anoti, “Nenguva yakafanira ndakakunzwa, nezuva reruponeso ndakakubatsira, chinzwa, ino ndiyo nguva yacho yakafanira, irori ndiro zuva roruponeso.” Hatiisi chinopingidza munzira yaani nani zvake, kuti muushandiri hwedu musave nechakaipa, asi isu savaranda vaMwari tinoratidza izvi nenzira dzose nokutirira kwakaomarara nomukutambudzika mune zvinonetsa nomupfumvu mukurohwa nokuiswa mujeri nomunyonganyonga nomumabasa anorema nokuvata takasvinura nomunzara uye tinoratidza izvi noutsvene noruzivo nokutirira nomutsa naMweya Mutsvene norudo rwechokwadi nokutaura zviri pachokwadi nesimba raMwari nezvombo zvoururami kurudyi nokuruboshe, mukuremekedzwa nomukusaremekedzwa, mukushorwa nomukukudzwa. Tinotorwa savanhu vanonyepera kuva zvavasiri asi tiri pachokwadi, tichiitwa setisingazivikanwi asi tichinyatsozivikanwa. Tinoitwa setiri kufa asi tarisai muone tiri vapenyu. Tinoitwa setiri kurangwa asi hatisati tafa. Tinonzi tinosuruvara asi isu tichifara nguva dzose. Tinonzi tiri varombo asi tichipfumisa vazhinji. Tinonzi hatina chinhu asi tiine zvose. Vakorinde imi, takutaurirai zviri pachena uye nomwoyo wose. Hatisisu tinoita kuti musungikane mwoyo asi imi ndimi muri kuita kuti musungikane zvenyu. Sekandiro kanoenda kunobva kamwe, ndinotaura somunhu ari kutaura kuvana, sunungukaiwo mwoyo. Musasungwe pajoko navanhu vasingatendi nokuti ururami hunei nouipi? Kana kuti chiedza chine ukama hwei nerima? Kristu anganzwanane sei naBheriari? Kana kuti mutendi ane mugove wei naasingatendi. Temberi yaMwari inowirirana papi nezvifananidzo zvinonamatwa saMwari. Zvino isu tiri Temberi yaMwari mupenyu sokutaura kwakaita Mwari achiti, “Ndichagara mavari ndichifamba pakati pavo uye ndichava Mwari wavo ivowo vachava vanhu vangu.” Saka ibvai mukati mavo mupararane navo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Musawane chakan'ora chamunobata. Pakadaro, ini ndichakugamuchirai. Ini ndichava Baba kwamuri, imi muchiva vanakomana vangu navanasikana vangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Samasimbaose. Zvatiine zvitsidzo izvi hama dzangu ngatizvichenesei kune zvose zvinon'oresa muviri kana mweya uye hutsvene hwedu huve hwakaruramisisa mukutya Mwari. Tigamuchireiwo nomwoyo wose, inga hapana watakatadzira wani. Hatina watakarunzira kuti atiitire zvechioko muhomwe. Hapana watakabiridzira. Handisi kutaura izvi kuti ndikupei mhosva. Sezvandambokutaurirai, ndimi vapamwoyo, zvokuti tinofa tose uye ticharamba tigere tose. Ndinovimba nemi zvikuru. Ndinodada nemi kwazvo. Munondipa manyawi. Tine matambudziko edu akawanda zvawo kudai asi tinonzwa kufara zvikuru kwazvo. Kunyange patakasvika kuMasedhonia, isu nyama yedu haina kuwana zororo, takapoteredzwa nenhamo kumativi ose, kunze yakanga iri hondo yokurwiswa, mukati iri hondo yokutya. Asi, Mwari anonyaradza vanenge varasa mwoyo, akatinyaradza nokuuya kwaTitosi; kwete nokuuya kwake chete asi nokunyaradzwa kwaakawana mamuri sokutitaurira kwaakaita nezvekundisuwa kwenyu nokundirwadzirwa mwoyo kwenyu neshungu dzenyu neni zvokuti ndakatofarisisa kwazvo. Chiripo ndechokuti kunyange zvangu ndakakurwadzisai netsamba yangu, handina urombo nazvo; (kunyange zvangu ndakave nourombo nazvo.) Ndinozviziva zvangu kuti tsamba iyoyo yakakurwadzai kunyange zvazvo kwaiva kwechinguvana chete. Sezvazviri ndinofara, kwete, nokuti makarwadziwa, asi pamusana pokuti makarwadziwa zvakakuitai kuti mupinduke nokuti kurwadziwa kwenyu kwaiva nohumwari makuri zvokuti hapana chatakaita kuti murasikirwe nacho. Kurwadzirwa mwoyo zvaMwari kunoita kuti munhu apinduke zvinosvitsa kuruponeso uye hazvirwadzise mwoyo; asi kurwadzirwa zvenyika kunounza rufu. Tarisai muone kuti shungu dzokurwadzirwa zvaMwari dzakakuberekerai chii mamuri, kuti makaita shungu dzakaita sei kuzvisasamura mhaka, kuti zvakakugumburai sei uye kuti zvakakutyisai zvakadii. Ndoda kudisisa kwenyu neshungu dzenyu uyezve chirango chacho! Aiwa, makaratidza, muna zvose, kuti hamuna mhosva panyaya iyi. Naizvozvo, kunyange ndakakunyorerai zvangu, handina kukunyorerai pamusana pewakatadza uya kana kuti pamusana pouyo akatadzirwa asi kuti shungu dzenyu kwatiri dzibude pachena kwamuri pamberi paMwari. Nokudaro isu zvinotinyaradza. Pamusoro pokunyaradzwa kwedu ikoko, takatofara zvikuru kwazvo nokufara kwaTitosi, nokuti imi mose makamugadzanisa hana. Ndakakuzuwidzai kwaari, imi mukasandinyadzisa pamusana pokuti zvatakataura zvakanga zviri zvedi, naizvozvo kuzuwa kwedu kuna Titosi kwaiva kwechokwadi. Anobva atorwa mwoyo chaizvo nemi kana oyeuka kuteerera kwenyu mose uye kumugamuchira kwamakaita muchimuremekedza nokumukudza zvakaperera. Ndinofara kwazvo nokuti ndinovimba nemi. Tingade kuti muzive, hama dzangu, nezvenyasha dzaMwari dzakaratidzwa mumasangano okuMasedhonia nokuti vakayedzwa zvinorwadza kwazvo asi mufaro wavo wakafashukira vakava vanamupanegombe kunyange zvavo vakanga vava varombo vokupedzisira. Vakapa vakasununguka sokugona kwavo zvandingatopupurawo uye zvaitopfuura zvavaikwanisa vachititeterera kwazvo kuti vabatsire vatsvene. Izvozvo zvakanga zviri zvinhu zvatakanga tisingambotarisira asi vakatanga vazvipira kuna Mwari, mushure maizvozvo nokuda kwaMwari, vakazvipirawo kwatiri. Saizvozvo takakurudzira Titosi, somunhu akanga atanga basa iri rakanaka pakati penyu, kuti anofanira kuripedzisa. Zvino sezvo makabudirira zvikuru muzvinhu zvose izvi zvinoti: chitendero, kwouya kutaura zvakanaka kwoti ruzivo kwozoti shungu dzenyu huru dzokuda kubatsira uyezve rudo rwenyu kwatiri, chibudiriraiwo zvakanyanya pabasa iri renyasha. Handitauri izvi kwamuri somurau asi kuti neshungu dzavamwe ndizvionere kuti rudo rwenyu nderwe chokwadi here nokuti imi munoziva nyasha dzaTenzi wedu Jesu Kristu kuti kunyange akanga akapfuma asi akazova murombo nokuda kwenyu kuti nourombo hwake imi mugova vapfumi. Uye panezvizvi ndinokubairai zanhi ndichiti, zviri nani kwamuri kuti mupedzise zvamakatanga kuita gore rakapera, kusiri kungoita chete asi kuva nechido chokuzviita. Zvino, chipedzisai basa iroro kuti kuripedzisa kwenyu kuenzane neshungu dzenyu dzokuda kuriita maererano nezvamunazvo. Kana chido chokupa chiripo, chipo chomunhu chinogamuchirika maererano nezvaanazvo, kwete maererano nezvaasina. Handisi kuti vamwe varerukirwe imi muchiremerwa asi kuti pave nokuenzana, panguva ino zvamuine zvakawanda movabatsirawo pavasina chokubata kudai, kuti ivo kana vava nezvakawanda imi musina pokubata vagokubatsiraiwo kuti pave nokuenzana. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi uyo akakohwa zvakawanda haana kuva nezvakapfurikidza, uyowo akakohwa zvishoma haana chaakashaiwa. Mwari ngaatendwe akaita kuti Titosi ave nomwoyo wakaita sowangu pakuva nehanya nemi. Hakusiri kuti akanzwa chete chikumbiro changu asi kuti iye pachake aiva neshungu zvokuti iye pachezvake akada kuuya kwamuri. Tinomutuma nehama inozivikanwa pamasangano ose pamusoro pokuparidza kwake Shoko Rakanaka. Hazvisiri izvo zvoga, asi kuti akatosarudzwa namasangano kuti atiperekedze mubasa iri romwoyochena ratiri kuitira mbiri yaTenzi uyewo kuratidza mwoyo unoda. Taichenjererawo kuti pasave naanotipa mhosva kuti tinobata sei chipo chakakura kudai. Chinangwa chacho chiri chokuti tiite zvinoremekedzwa kwete naTenzi chete asi kuti navanhuwo. Pamwechete naivava tiri kutumira hama yedu yatakaedza kazhinji tikaona ari munhu ane chido chokuita zvinhu mune zvizhinji asi ava nechido chakatonyanya zvino kupfuura kare pamusana pokuvimba kukuru kwaanako nemi. Kana zviri zvaTitosi, ndomumwe wangu, mushandipamwe neni mubasa ratinokuitirai, asi dzimwe hama idzi, inhumwa dzamasangano uye vanopa mbiri kuna Kristu. Naizvozvo ratidzai masangano rudo rwenyu uye kuti isu tinodada nemi zvakadii kuvarume ava. Kungangova kupedza nguva kuti ndikunyorerei nezvechipo chokupa kuvatsvene, nokuti ndinoziva kuzvigadzirira kwenyu kwandinozvizuwidza nako kuvanhu vokuMasedhonia ndichiti, “VokuAkaya vakagadzirira kubvira gore rakapera.” Shungu dzenyu dzakamutsa mwoyo yavazhinji vavo. Asi ndiri kutumira hama idzi kuti kudada nemi kwedu kurege kuva kusina maturo kuitirawo kuti, sokutaura kwandakaita, kuti munge makagadzirira. Zvingadaro zvikaitika kuti ndinouya navamwe vokuMasedhonia tichizoona kuti hamuna kugadzirira tikazonyara nazvo, tisingatauri zvedu kuti imi muchanyara sei, isu tichivimba nemi kudai. Ndokusaka ndakafunga kuti ndikurudzire hama idzi, kuti dzifanotungamira ndisati ndauya, kuti dzifanogadzirira chipo chiya, chamakavimbisa, kuti chinge chakagadzirirwa, kwete zvokumanikidzira asi chinopiwa nechido. Chiripo ndechokuti munhu anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma; anodyarawo zvakawanda achakohwawo zvakawanda. Mumwe nomumwe anofanira kuita sokuzvisarudzira kwaakaita mumwoyo make, kwete seasingadi kana seanomanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara. Mwari anogona kukupai makomborero ose akawanda kwazvo kuti nguva dzose muve nezvinokwana muchikwanisawo kuwana zvinhu zvinodiwa pamabasa ose akanaka. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kuvarombo ndimupanegombe ururami hwake hunogara nokusingaperi.” Iye Mwari anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya ndiye achakupa mbeu dzose dzaunoda uye achaitawo kuti dzikure dzibereke zvokukohwa zvakawanda zvichibva muururami hwako. Muchapfuma muna zvose kuti mukwanise kuita mabasa makuru omwoyochena anoita kuti Mwari atendwe pamusana pezvatinenge taita. Kuita basa irori, hakungagutsi zvinodiwa navatsvene chete asi kuti kunowanziridza kutendwa kwaMwari. Nezvinobuda mukuita basa iri, mucharumbidza Mwari nokuteerera kwenyu Shoko Rakanaka raKristu nemwoyochena mukudyidzana kwenyu navo uye navamwe vose. Ivo vachikusuwai nokukunamatirai pamusana penyasha dzinoshamisa dzaMwari mamuri Mwari ngaatendwe pamusana pechipo chake chisingatauriki. Ini Pauro ndinokukumbirisai, nounyoro nokupfava kwaKristu. Iyeni ndakawota kana ndakatarisana nemi uso nouso asi munhu ane chivindi kwamuri kana ndisipo. Ndinokukumbirai kuti kana ndauyako, ndirege kuita zvakaomarara sokufunga kwandinoita kune vamwe vanhu vanofunga kuti tinoita zvinhu tichitungamirirwa namafungiro ezvenyika. Kunyange zvedu tichigara panyika, hatisi kurwa hondo yapanyika nokuti zvombo zvatinorwisa nazvo, hazvisi zvapasi pano asi kuti zvine simba raMwari rinoparadza nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Isu tinoparadza nharo uye pfungwa dzokuzvikudza dzinopingidza vanhu kuziva Mwari uye tinotora vanhu pfungwa dzavo tichidziisa muutapwa, tichivaita kuti vateerere Kristu takagadzirira kuranga kusateerera kose kana kuteerera kwenyu kwakwana. Onai zvinhu sezvazviri. Kana pane anonyatsovimba kuti ndewaKristu, ngaayeukewo kuti sezvaari waKristu, nesuwo ndizvo zvatiri. Kunyange ndingazvikudze zvinenge zvakati nyanyisei noukuru hwandinahwo, hwandakapiwa naTenzi, ndakahupiwa kuti ndikuvakei kwete kuti ndikuparadzei, saka handinyari nazvo. Handingadi kuita sokunge ndinoda kukutyityidzirai namatsamba nokuti zvinonzi, “Matsamba ake akaomarara kwazvo uye ane simba asi kana aripo imbwende yomunhu uye pakutaura idera chairo.” Vanhu vakadaro ngavazive kuti zvatinotaura netsamba tisipo tinogonawo kuzvitaura tiripo. Hatingazviisi zvedu mubato kana kuzvienzanisa navavo vanozviisa pamusoro, vanozvitora ivo vozviita mwero wokuzviera nawo vachizvienzanisawo nezvavari. Isu hatidi kuzvirova dundundu zvinopfuuridza asi tichamirira pamiganhu yatakaisirwa naMwari. Imi muri mukati memiganhu iyoyo. Pamusana pokuti imi muri mukati memiganhu yedu hatisi kupfuuridza miganhu yedu. Ndisu takatotanga kuuya neShoko Rakanaka raKristu kwamuri. Naizvozvo, hatipindiridzi tichizvirovera dundundu mubasa ravamwe. Chitarisiro chedu ndechokuti chitendero chenyu pachinokura, munda wedu unobva wakurakurawo pakati penyu. Pakadaro tinobva takwanisa kuparidza Shoko Rakanaka munyika dziri mberi kweyenyu kuti tirege kuzozvikudza nebasa rakaitwa kare muminda yavamwe. Anozvirumbidza ngaazvirumbidze naTenzi nokuti haasi munhu anozviti ndakanaka asi anonzi naTenzi akanaka. Dai mukambondiregererawo ndichimboti pengerekei zvangu zvishomanana, mundiitirewo mwoyo murefu. Ndine shanje yaMwari nemi nokuti ndakakuroodzai kuna Kristu, ndichida kukuperekai semhandara tsvene kumurume wayo mumwechete oga. Zvino ndavakutotya kuti sokunyengedza kwakaita nyoka Eva nokusvinuka kwayo pfungwa dzenyu dzingadaro dzatsautswa pautsvene hwenyu nokutendeseka kwenyu kuna Kristu. Ndinodaro nokuti kana mumwe munhu akauya achiparidza mumwe Jesu akasiyana newatakaparidza muchigamuchira mumwe mweya wakasiyana newamakagamuchira kana kuti mukagachira Shoko Rakanaka rakasiyana neremakagamuchira muri kutomugamuchira namaoko maviri. Sokuona kwangu hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo. Kunyange zvangu ndisingakwanisi kunyatsotaura asi ruzivo ndinarwo. Izvi akanyatsokujekeserai nenzira dzose muna zvose. Ndakatadza here nokuzvidukupisa kwandakaita kuti imi mukudzwe zvandakaparidza Shoko Rakanaka raMwari pasina chamakaripa? Ndaiita sokubira mamwe masangano ndichitambira rutsigiro rwavo kuti ndikushandirei. Pandakanga ndiinemi ndisina chokubata, hapana wandakaremedza. Zvandaida ndakapiwa nehama dzedu dzakabva kuMasedhonia. Saizvozvo ndakaramba uye ndichangoramba ndichiramba kukuremedzai nenzira ipi zvayo. Sokuti nechokwadi chaicho chaKristu chiri mandiri, kuzvizuwidza kwangu uku hakumbofa kwakanyaradzwa mudunhu reAkaya. Nemhosva yeiko? Pamusana pokuti handikudei here? Mwari ndiye anoziva kuti ndinokudai. Ndichangoramba ndichiita zvandiri kuita, kuti nditadzise kubudirira avo vanoda kuzvizuwidza vachiti vanongoshandawo sezvatinongoita. Vanhu vakadaro vapositori venhema, vashandi vanonyengedza, vanobata vanhu kumeso vachizviti vapositori vaKristu. Hazvishamisi izvozvo nokuti kunyange Satani anonyengedza achizviita somutumwa wechiedza. Naizvozvo hazvishamisi kana varanda vake vachinyengedza sokunge varanda voururami. Mugumo wavo uchaenderana nezviito zvavo. Ndinodzokororazve kuti ngaparege kuva nomunhu anofunga kuti ndiri benzi romunhu; asi kunyange mukafunga zvenyu kudaro, nditorei zvenyu sebenzi kuti ndiwanewo mazvikudziro zvishomanene. Zvandiri kutaura hazvina Tenzi mukati, asi sebenzi, mukuzvirova dundundu kwangu uku kune chivindi, sezvo vazhinji vachizvikudza nezvinhu zvenyika, neniwo ndichazvirumbidza, nokuti munoitira mwoyo murefu mapenzi muchifara asi imi muri vanhu vakangwara. Munoitiraka imi mwoyo murefu munhu akakuitai varanda kana akakudyai nomunyati achikushandisai kana kuzvikudza kana kutokurovai nembama kumeso. Ndinonyara kutaura kuti hwaiva humbwende kuita izvozvo. Asi kana pane munhu angade kuzvikudza nechii zvacho, ndava kutaura zvangu sebenzi, ndingatoitawo chivindi chokuzvikudza saizvozvo. Ivo vaHebheru here? Kana neniwo ndiri muHebheru. Ivo vaIsiraeri here kana neniwo. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahamu here? Kana neniwo. Ivo vashandi vaKristu here? Ini ndinotova mushandi wake ari nani. Zvino ndava kutaura zvangu somunhu anopenga. Ndakashanda zvakaomarara kupinda ivo. Ndakaiswa mujeri kakatowanda kutovapfuura. Ndakarohwa kakawanda, ndikatarisana norufu kakawanda. Ndakarohwa ndiri mumaoko avaJudha shamhu dzinosvika makumi matatu nepfumbamwe kanosvika kashanu. Ndakarohwa nemibhadha kanosvika katatu. Ndakatakwa namatombo kamwechete. Ndakakudubuka nechikepe katatu. Ndakaita siku nesikati ndakayangarara mugungwa. Panzendo dzangu dzakawanda ndakapinda njodzi dzenzizi nenjodzi dzamakororo, uye njodzi dzaibva kuvanhu vokwangu uyewo nenjodzi dzaibva kunevechirudzi kwozoti njodzi muguta, kwoti njodzi musango, kwouya njodzi mugungwa nenjodzi dzaibva kuhama dzenhema mubasa rakaoma nomuzvinhu zvinotambudza nomukushaiswa hope kakawanda; munzara nenyota uye kazhinji ndisina chokudya; muchando nomukushaya chokufuka tisingatauri zvedu nezvezvimwe izvi, mazuva ose ndinogara ndakaremerwa nokufunga masangano ose. Ndiani anorukutika ndikasarukutikawo. Ndiani anopinzwa mukutadza ndikasagumbuka nazvo. Dai kuri kuti ndinozvirova dundundu ndingatozvirovera dundundu utera hwangu, Mwari naBaba waTenzi Jesu, iye anofanira kurumbidzwa nokusingaperi anoziva kuti handitauri nhema. KuDhamasikosi mutongi aiva pasi paMambo Aretasi akagaririra guta reDhamasikosi kuti andibate asi ndakaburutswa ndiri mutswanda napaburi raiva parusvingo ndikamupunyuka. Hazvina zvazvo zvazvinobatsira asi ndinofanira kuenderera mberi nokuzvirumbidza. Ndava kuenda kune zvezvioneso nezviratidzo zvaTenzi. Ndinoziva mumwe munhu muna Kristu akatututswa kuenda kudenga rechitatu makore gumi namana apfuura. Kuti akaendako nomuviri wake here kana kuti asina muviri wake, handizivi, Mwari ndiye anoziva. Chandinoziva ndechokuti munhu uyu akatututswa kuenda kuParadhiso. Kuti akaendako nomuviri wake here kana kuti asina muviri wake, handizivi, asi Mwari ndiye anoziva. Ikoko akanzwa zvinhu zvisingatauriki zvisingabvumirwi kuti munhu ataure. Munhu iyeyo ndinodada naye asi ini pachangu handizvidadisi. Chandinodada nacho utera hwangu. Dai kuri kuti ndinozvidadisa zvangu, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi asi handizvidadisi kuti vanhu varege kundiona sowokumusoro kupinda zvavanoona mandiri kana zvavanonzwa kwandiri. Asi kuti ndirege kuita zenze nezviratidzo zvakawanda ndakapiwa munzwa munyama, nhumwa yaSatani yokundishusha kuti ndirege kuva nezenze. Ndakateterera Tenzi katatu kose nezvawo kuti ubviswe asi akati, “Nyasha dzangu dzinokwana kwauri nokuti simba rangu rinoonekwa muutera kushanda kwaro kuzere.” Naizvozvo ndinotofara kudada noutera hwangu kuti simba raKristu rigare pandiri. Nezvo pamusana paKristu, ndinofara noutera nokutukwa nezvinonetsa nokushushwa nenhamo nokuti kana ndiino utera ndipo pandine simba. Ndaita benzi chairo asi ndimi maita kuti ndidaro. Imi ndimi maifanira kutozivisa vanhu zvandiri nokuti hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo kunyange zvangu ndiri chinhu pasina. Zviratidzo zvomupositori wechokwadi zvakaitwa pakati penyu nomwoyo murefu chaiwo nezviratidzo nezvishamiso namabasa makuru. Ko chamusina kuitirwa chakaitirwa mamwe masangano ndechipi kusiya kuti hapana, ini pachangu, chandakakuremedzai nacho. Mundiregererewo kukukanganisirai kudai. Ndakagadzirira kukushanyirai kechitatu, asi hapana chandichakuremedzai nacho nokuti handisikutsvaka zvinhu zvenyu asi imi nokuti vana havasiri ivo vanofanira kuriritira vabereki asi vabereki ndivo vanofanira kuriritira vana vavo. Ndingafare kupedzera imi zvinhu zvangu kana kupera iyeni ndichiitira imi. Zvino kana ndichikudai zvakanyanya kudai, ndicho chingave chikonzero chokundida kwenyu zvishoma here? Ngatitii ini handina kukuremedzai asi imi mungati kungwarisaka kwangu ikoko kwaita kuti ndikudyei nomunyati? Ndakakunyengedzai here nokuno mumwe wavandakatumirai kwamuri? Ndakakurudzira Titosi kuenda ndikamutumira neimwe hama yedu. Titosi akakunyengedzerai here? Hatina here kushanda nomweya mumwecheteyo tichitevera gwara rimwechete? Manga muchifunga here, pose apa, kuti tanga tichizvidzivirira kwamuri? Takanga tichitaura muna Kristu pamberi paMwari tichida kukuvakai, hama dzangu. Ndavakutotya kuti pamwe ndichauya ndikasvikokuwanai musiri zvandinoda kuti munge muri uye kuti muchandiwana ndisiri zvamunoda kuti ndinge ndiri. Zvichida pano kutukana kana shanje kana hasha kana kuzvifunga kana kurevana kana makuhwa kana kuzvikudza kana nyonganyonga. Ndiri kuzeza kuti pandichauyazve, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, ndavakuungudza ndichichema vazhinji vaya vakatadza vasati vapinduka kune zvakan'ora nounzenza noupombwe zvavakaita. Aka kava kechitatu ndichiuya kwamuri. Nyaya yose inofanira kutsigirwa nezvapupu zviviri kana zvitatu. Ndakayambira avo vakambotadza navamwe vose uye ndiri kuvayambira, iye zvino, ndisipo sezvandakamboita ndiripo, pandakakushanyirai rwechipiri, kuti kana ndouyazve handivaregi vasina kurangwa. Zvamunoda chinhu chinoratidza nacho kuti Kristu anotaura mandiri, iye ndiye achaonana nemi, haasi dera ane simba pakati penyu. Iye akarovererwa pamuchinjikwa muutera asi mupenyu nesimba raMwari. Nokudaro muchaona kuti isu tine utera pamwechete naye asi tichararama pamwechete naye nesimba raMwari. Zviongororei muone kuti muchiri pachokwadi nechitendero chenyu here? Zvionei pamumire. Hamuoni here kuti Jesu Kristu ari mamuri kusatoti makundika mukuzviongorora kwenyu! Ndinotarisira kuti imi muchaona kuti isu hatina kukundika. Tinonamata Mwari kuti murege kukanganisa, kwete kuti zvioneke kuti isu takabudirira asi kuti muite zvakarurama kunyange isu tichiita sokunge takakundika. Hatigoni kuita chii zvacho kurwisana nechokwadi asi kutorwira chokwadi chacho. Tinotofara kana tine utera imi muine simba. Chatinonamatira ndechokuti imi mururamiswe. Ndiri kunyora izvi ndiri kure nemi kuti kana ndouyako, ndirege kuva munhu akaomarara pandinoshandisa simba randakapiwa naTenzi rokuvaka kwete kupaza. Pokupedzisira, hama dzangu, ndinoti chisarai. Gadziridzai nzira dzenyu. Teererai zvandinotaura, wiriranai, garisanai zvakanaka. Mwari werudo norugare achava nemi. Kwazisanai nokutsvodana kunoera. Vatsvene vose vanokukwazisai. Chikomborero chokutirwa nyasha naTenzi wedu Jesu Kristu norudo rwaMwari nokuwadzanisa kwaMweya Mutsvene ngachive nemi. Ndini Pauro mupositori asina kutumwa basa iri nomunhu kana kuripiwa nomunhu asi akaripiwa naJesu Kristu uye naMwari Baba vakamumutsa muvafi, ndinokunyorerai pamwechete nehama dzandinadzo kuno imi masangano okuGaratia ndichiti: chikomborero chokuitirwa nyasha necherugare ngachigare nemi chichibva kuna Mwari Baba nokuna Tenzi Jesu Kristu. Ndiye akazvipa pamusana pezvitadzo zvedu kuti atinunure kunyika youipi iripo iye zvino maererano nezvaidiwa naMwari naBaba vedu. Ivo ngavarumbidzwe narini narini. Ameni. Munondishamisa kuti mavakusiya nokukurumidza kudai iye akakudaidzai nenyasha dzaKristu muchipindukira kune rimwewo Shoko Rakanaka. Zvisingarevi zvazvo kuti kuna rimwezve Shoko Rakanaka asi kuti kune vamwe vanokutambudzai vachida kuminamisa Shoko iroro Rakanaka raKristu. Kunyange dai tirisu kana mutumwa anobva kudenga achikuparidzai Shoko rinopesana neratakakuparidzai ngaave nerushambwa. Sezvatakambotaura kare ndinotaurazve zvino ndichiti kana pano munhu ari kukuparidzai Shoko Rakanaka rinopesana neramakambogamuchira ngaave norushambwa. Asi munofunga kuti iye zvino ndiri kutsvaka kufadza vanhu here kana kuti ndiripo pakufadza Mwari? Kana kuti munoti ndiri kuvavarira kufadza vanhu? Kana ndichiripo kufadza vanhu handifaniri kuva muranda waKristu. Nokuti ndingade kuti muzive hama dzangu kuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa neni harisi Shoko ravanhu nokuti handina kurigamuchira richibva kumunhu uye handina kuri dzidziswa. Rakauya kwandiri nokuzviratidza kwaJesu Kristu kwandiri. Inga makanzwa wani nezvoupenyu hwangu hwakare muchiJudha, kutambudza zvakaipisisa kwandaiita sangano raMwari ndichiedza kuriparadza. Ini ndakabudirira mune zvechiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu mukati mavanhu vokwangu. Ndaisimbirira chaizvo mune zvamagamuchidzanwa amadzitateguru angu. Zvino iye zvaakanga andisarudza ndisati ndaberekwa akandidaidza nenyasha dzake. Akafara kuratidza Mwanakomana wake kwandiri kuti ndimuparidze kune vechirudzi, handina kumbobvunza munhu. Uye handina kuenda kuJerusaremu kuna vakanga vakanditangira kuva vapositori asi ndakaenda kuArabhia. Ndakazodzokerazve kuDhamasikusi. Mushure memakore matatu ndakakwira kuJerusaremu kundoshanyira Kefasi ndikagara naye kwamazuva gumi namashanu. Handina kuona vamwe vapositori kusiya Jemusi mukomanomunun'una naTenzi. NaMwari chaiye, zvandiri kukunyorerai handisi kunyepa. Ndakazoendawo kumatunhu eSiria neekuKirikia. Izvozvo, kuJudhea hapana aiziva uso hwangu mumasangano aKristu okuJudhea. Vaingonzwa zvichinzi uya aimbotitambudza avakuparidza chitendero chaaimboda kuparadza. Vakarumbidza Mwari nokuda kwangu. Shure kwamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusaremu naBhanabhasi. Ndakatorawo Titosi ndikaenda naye. Ndakakwirako ndatozviratidzwa, ndokundoturira kuna ivavo vainzi vakuru vakuru asi zviri zvepachedu toga Shoko Rakanaka randinoparidza mukati mevechirudzi, kuti zvimwe ndingadaro ndichishandira pasina kana kuti ndaishandira pasina. Kunyange Titosi akanga aneni haana kumanikidzwa kuti adzingiswe kunyange zvazvo aiva muGiriki. Asi nokuda kwehama dzechipameso dzakapinzwa muchivande kuzosora rusununguko rwedu rwatinarwo muna Kristu Jesu kuti dzitipinze muuranda. Hatina kubvuma zvavaida kunyange napaduku zvapo, tichiitira kuti chokwadi cheShoko Rakanaka chichengeterwe imi. Avo vainzi ndivo vakuru vakuru, zvavaiva zvakanga zvisina basa kwandiri nokuti Mwari haana rusaruro. Kwavari ndinoti ivavo vainzi ndivo vakuru vakuru hapana chavakandiwedzera, asi kuti pavakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza Shoko Rakanaka kuna vasina kudzingiswa sezvakangoitawo Pita akapiwa basa rokuparidza Shoko Rakanaka kuna vakadzingiswa; chikonzero chiri chokuti iye aishanda nomuna Pita basa rokuva mupositori akatumwa kuna vakadzingiswa akashandawo nemandiri basa iroro kune vechirudzi; Jemusi naKefasi naJohani vainzi vakuru vakuru vacho, vaona kuti ndakapiwa chikomborero chebasa iri, vakaratidza kuva vamwe neni naBhanabhasi nokukwazisana kwatakaita navo noruoko rworudyi; izvi zvikareva kuti isu ndisu toenda kunevechirudzi ivo vachienda kuna vakadzingiswa. Asi vaida kuti tiyeuke varombo, chiri icho chinhu chandaitodisisa kuita. Asi Pita paakauya kuAntioku ndakamutsiura pachena nokuti akanga akanganisa. Zvaivapo ndezvokuti, vamwe varume vasati vauya kubva kuna Jemusi, aidya nevechirudzi. Asi pavakangouya akabva aregera avakuzvitsaura pamusana pokutya vebato rokudzingiswa. Vamwe vaJudha vakava nokusatendeka ikoko pamwe naPita. Kunyange Bhanabhasi akafurirwawo mukusatendeka kwavo ikoko. Asi pandakaona kuti vakanga vasingaiti zvinowirirana nechokwadi cheShoko Rakanaka, ndakataurira Pita navamwe vose vakanga varipo ndichiti, “Zvino kana imi muJudha kudai muchigara somunhu wechirudzi musingaiti somuJudha, mungagomanikidza sei vechirudzi kuti vagare savaJudha?” Isu iyesu, zvizvarwa zvechiJudha, tisiri vechirudzi, vatadzi, tinoziva kuti munhu haaruramiswi nezvisungo zvomutemo, asi nechitendero muna Jesu Kristu. Kunyangewo isu takatenda wani muna Kristu Jesu kuti tiruramiswe nechitendero muna Kristu kwete nezvisungo zvomutemo nokuti hapana anoruramiswa nezvisungo zvomutemo. Zvino kana isu mukushingairira kuti tiruramiswe muna Kristu; kana iyesu pachedu towanikwa tava vatadzi, ko zvino Kristu ava honzeri yechitadzo here? Hazvisizvo, kwete. Zvino kana ndava kuvakazve zvinhu zvandambopaza ndinobva ndazviita mudariki womutemo. Kuno mutemo, ndakangoita somunhu akafa kwauri kuti ndiraramire Mwari. Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naKristu. Handichisiri ini ndiri mupenyu asi kuti Kristu ndiye avakugara mandiri. Upenyu hwandinahwo somunhu ndinohugara pamusana pechitendero chandinacho muMwanakomana waMwari akandida akapira upenyu hwake nokuda kwangu. Handisi kuramba nyasha dzaMwari nokuti kana kururamiswa kuchiitwa nomutemo Kristu akafira pasina. Imi vaGaratia mava kupenga here imi? Asi makaroiwa? Inga wani makanyatsotsanangurirwa pachena nezvokurovererwa pamuchinjikwa kwaJesu. Ndingade kumbokubvunzai izvi chete zvokuti iyemi makagamuchira Mweya pamusana pezvisungo zvomitemo here kana kuti nokudavira zvamakanzwa? Kuzungairai kwakadai? Vanhu vakatangisa muMweya, ndimi mavakupedzesera munyama here? Kutambudzika kose uku makatambudzikira pasina here? Kana kunganzi chaizvoizvowo kutambudzikira pasina, ko iye anokupai Mweya Mutsvene achiita zvishamiso pakati penyu, anozviita pamusana pezvisungo zvomutemo here kana kuti nokunzwa nechitendero? Abhurahamu akatenda muna Mwari zvikamupa kunzi akarurama. Naizvozvo munozvionawo kuti vanhu vechitendero ndivo vana vaAbhurahamu. Magwaro Matsvene paakaona kuti Mwari anoruramisa marudzi nechitendero akafanoparidza Abhurahamu Shoko Rakanaka achiti, “Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.” Saizvozvo vanhu vechitendero vanokomborerwa pamwechete naAbhurahamu aiva nechitendero. Zviripo ndezvokuti vose vanovimba nezvisungo zvomutemo, vakarengererwa rushambwa nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ngaawirwe norushambwa munhu wose asingarambe achichengeta zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo achizviita.” Zvino zviri pachena kuti hapana munhu anoruramiswa nomutemo pamberi paMwari nokuti munhu anenge akaruramiswa pamusana pechitendero achararama. Asi mutemo haunei nechitendero nokuti munhu anotevedza mitemo anofanira kuraramiswa nayo. Asi Kristu nokuva anenge akarengererwa rushambwa akatinunura kurushambwa rwomutemo nokuti muMagwaro Matsvene makanyorwa kuti: “Akarengererwa anorushambwa munhu wose anoturikwa pamuti.” Izvi zvakaitirwa kuti muna Kristu Jesu, chikomborero chaAbhurahamu chiuyewo kune vechirudzi kuti tigamuchire chivimbiso chaMweya nechitendero. Hama, houno muenzaniso wezvinongowanika muvanhu, hakuna munhu anopfudza chibvumirano chomunhu kana angawedzera pachiri kana chanyoreranwa pasi. Zvino zvitsidzo izvi zvakaitwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Chibvumirano ichocho hachisi kuti, “Kuvana vake” chichireva vana vazhinji asi kuti chinotaura nezvomumwechete chichiti, “NokuMwana wako,” zvichireva Kristu. Izvi ndizvo zvandinoreva, kuti mutemo wakazouya mushure memakore mazana mana anamakumi matatu haudzimi chitenderano chakambonyoreranwa naMwari zvinoita kuti chitenderano ichocho chishaye basa. Chandinodariro ndechokuti, kana nhaka iyoyo iri yokutevedza zvomumutemo haichisiri yechitsidzo. Asi Mwari akapa kuna Abhurahamu zviri zvechitsidzo. Ko mutemo ndowei? Wakapamhidzirwa pamusana pokukanganisa uchinzi uvepo kusvikira mwana uya akanga aitirwa chitsidzo ichocho auya. Mutemo iwoyo wakaziviswa nokuvatumwa uye pakanga paino munhu aiva munyai. Pano mumwechete asingadi munyai, Mwari chete. Ko zvinoreva kuti mutemo unorwisana nezvitsidzo zvaMwari here? Hazvisizvo kwete. Dai kuri kuti pane mutemo wakatemwa unogona kupa upenyu, pakadaro ururami hungadai huchitounzwa nomutemo. Magwaro Matsvene anoti zvinhu zvose zviri pasi pechitadzo kuti zvinhu zvakatsidzirwa nokuda kwechitendero muna Jesu Kristu zvipiwe kuna vanotenda. Chitendero chisati chauya takanga takaiswa pasi pomutemo, tiri parumananzombe kusvikira chitendero chaburitswa pachena. Ipapo mutemo wakanga uri mureri wedu kusvikira Kristu auya kuti tiruramiswe nechitendero. Zvino chitendero pachakadai kuuya, hatichisiri pasi pomureri. Nokuti muna Kristu Jesu, imi mose muri vana vaMwari nokuda kwechitendero. Mose imi makaombekwa muna Kristu, makatopfeka Kristu. Hapachisina muJudha kana muGiriki, hapachisina muranda kana musununguki, hapachisina murume kana mukadzi nokuti mose mava chinhu chimwechete muna Kristu Jesu. Zvino kana muri vanhu vaKristu mava chizvarwa chaAbhurahamu vagari venhaka maererano nechitsidzo. Zvino ndinoti mugari wenhaka paanenge chete achiri mwana muduku, haana zvaanosiyana nomuranda nyangwe zvazvo ari iye muridzi wezvinhu zvenhaka zvose izvozvo. Asi achiri mumaoko avabereki navatariri kusvikira pazuva rakatarwa nababa. Ndizvozvowo zvinesu, pataiva vana vaduku takanga tiri varanda vemweya yomudenga'mu nezvapasi pano. Nguva payakakwana Mwari akatuma Mwanakomana wake akaberekwa nomukadzi. Akaberekwa ari pasi pomutemo kuti anunure vanhu vakanga vari pasi pomutemo kuti tiwane nhaka savana. Pamusana pokuti muri vana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu watinokwanisa naye kudaidza tichiti, “Abha, Baba.” Nezvo nokuna Mwari, hauchisiri muranda, wava mwana. Zvino kana uri mwana naizvozvo uri mugari wenhaka. Kare pamakanga musingazivi Mwari maiva varanda vezvinhu zvisiri Mwari. Asi zvino, pamavakuzivana naMwari, kana kuti pamavakuzivikanwa naMwari, mungapindukire seizve kumweya yezvinhu zvisina simba uye isina chayo yamavakuda kuva varanda vayozve. Munochengeta mazuva makuru, nemwedzi nemwaka namakore. Inga ndinokaronge ndakashandira pasina. Hama, ndinokukumbirisai kuti ivai sezvandiri nokuti iniwo ndakava sezvamuri. Imi hapana chamakanditadzira sezvamunongozivawo kuti pamusana pezvaindirwadza munyama'mu zvakaita kuti ndiparidze Shoko Rakanaka kwamuri pakutanga paya. Kunyange zvazvo zvandaiva chaiva chiedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundishora asi makatondigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, saKristu Jesu. Ko kufara kwenyu kuyazve kuripi? Ndinokupupurirai kuti dai zvaikwanisika mungadai makatosvukunura maziso enyu muchiapa kwandiri. Ko zvino ndava muvengi wenyu pamusana pokukutaurirai chokwadi here? Vamwe vanhu vaya vanoratidza savanokudai kwazvo. Asi chinangwa chavo chaicho hachina kunaka. Chavari kungoda kukuparadzanisai neni kuti muvadewo ivo. Chinhu chakanaka nguva dzose kuva nechido chakakura kudaro kana chinangwa chacho chakanaka kwete kana ndiinemi chete. Vanangu, ndinorwadziwazve saamai vave panguva yokuda kusununguka kusvikira Jesu aumbwa mamuri. Ndinodisa chaizvo kuti dai ndanga ndiinemi iye zvino. Ndaibva ndasandura maitiro andiri kuita, nokuti ndiri kushaya kuti ndokutaurirai ndichiti kudii. Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomutemo, hamunzwi here zvinorehwa nomutemo nokuti zvakanyorwa kuti Abhurahamu akanga aina vanakomana vaviri. Mumwe akamubereka nomuranda, mumwe akamubereka nomudzimai asiri muranda. Mwana womuranda akaberekwa sezvinongoitwawo chero munhu. Mwana womusununguki akaberekwa nokuda kwechitsidzo. Zvino iri raiva dimikira. Vakadzi vaviri ava vanomirira zvitenderano zviviri. Chimwe chitenderano ndechokugomo reSinai chinobereka vana vouranda, ndiye Hagari. Zvino Hagari ndiro gomo reSinai kuArabhia. Rinomirira guta reJerusaremu riripo nhasi uno nokuti riri muuranda pamwechete navana varo. Asi guta reJerusaremu rokumusoro riri murusununguko uye ndiro amai vedu, nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Fara zvako iwe mukadzi asina mbereko asingabereki, pururudza uchidaidzira kwazvo iwe usina kumbonzwa kurwadza kwemimba nokuti mukadzi akarambwa ana vana kupinda anomurume.” Zvino, hama dzangu, isu, saIsaki tiri vana vechitsidzo. Sapanguva iyoyo, uya akaberekwa maererano nenyama akatambudza uyo akaberekwa maererano naMweya. Ndizvozvo nanhasi. Ko Magwaro Matsvene anoti kudiiko? Anoti dzinga mukadzi muranda nemwana wake nokuti mwana womuranda haafaniri kudya nhaka nomwana womukadzi wakasununguka. Saizvozvo, hama dzangu, hatisi vana vomukadzi muranda asi vomukadzi wakasununguka. Kristu chaakatisunungurira kuti tive vanhu vakasununguka, nokudaro mirai zvakasimba murege kuzvipinzazve mujoko rouranda. Chinzwai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kana mukadzingiswa Kristu anenge asisina chimuko kwamuri. Ndinonyatsokutaurirai pachena zvakare kuti munhu anobvuma kudzingiswa anofanira kuchengeta zvisungo zvose zvomutemo. Imi munoda kururamiswa nezvisungo zvomutemo makatochekana ukama naKristu, nyasha dzakatokupesai. Nokuna Mweya Mutsvene uye nechitendero, isu tinotarisira kururamiswa kwatiri kumirira. Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna basa asi chitendero chine rudo. Inga maimbomhanya zvakanaka wani! Ko ndiani akakupingidzai kuteerera chokwadi. Kufurirwa ikoko hakusi kwaiye akakudaidzai. Mbiriso shomanana inofutisa mukanyiwa wose. Muna Tenzi kudai ndinovimba kuti imi hamuzovi nedzimwe pfungwa dzinosiyana nedzangu uye kuti iye ari kukushushai achawana mubayiro wake, kunyange ari ani zvake. Hama, kana ndichiri kuparidza zvedzingiso, chandiri kushushirwa chitendero chii? Kana zvakadaro kugumbura kunoita muchinjikwa kunobva kwabviswa. Ndingatoda kuti dai vari kukutambudzai ivavo vatozvigadzira ivo pachavo. Chandinodariro hama dzangu, ndechokuti makadanirwa rusununguko. Asi rusununguko rwenyu ngarurege kuva nzira yokuzvifadza. Asi shandiranai murudo nokuti zvisungo zvose zvomutemo zvinozadziswa nechirevo chimwechete chinoti: “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Kana basa renyu rava sezvikara kurumana nokudyana munofanira kuzvingwarira nokuti mungatosvika pakupedzana. Zvandinoreva ndezvizvi, zvokuti tungamirirwai naMweya murege kufadza havi dzomuviri nokuti zvinodiwa nomuviri zvinorwisana nezvinodiwa naMweya. Zvinodiwawo naMweya zvinorwisana nezvinodiwa nehavi dzomuviri nokuti izvi zviri zviviri zvinorwisana zvichikutadzisai kuita zvamunoda. Asi kana muchitungamirirwa naMweya hamuchisiri pasi pomutemo. Zvino mabasa enyama anooneka pachena, ndeaya anoti: upombwe nokuita zvakaora, kwouya kusazvibata nokunamata zvinhu zvisiri Mwari kwoti kuroya nokuvengana kwozoti kunetsana, nokuitirana shanje kwouyawo hasha, nokungozvifunga, kwozotiwo kupesana nokuita mapato anovengana uye kusafarira zvakanaka zvavamwe, uyezve kuraradza nokusazvibata kwezvidhakwa nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai sokukuyambirai kwandakamboita ndichiti vanoita zvakadai havawani nhaka youmambo hwamwari. Asi Mweya anobereka muchero wokuti tive norudo norufaro norugare, tive nemwoyo murefu nomutsa nemwoyo wakanaka nokutendeka uye unyoro nokuzvibata. Hakuna mutemo unorwisana nezvakadai sezvizvi. Avo vanenge vari vanhu vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa humunhu hwavo nehavi dzahwo nezvido zvahwo. Kana Mweya ari iye anoita kuti tirarame; saizvozvo ngatichitungamirirwawo naMweya. Ngatiregei kuzvikudza kana kudenhana kana kuitirana shanje. Hama dzangu, kana mumwe wenyu apindwa nokukanganisa kwakadii zvako, imi vanamati, vanaMweya, mudzorei zvakapfava zvinyoro asi muchizvichenjererawo nokuti imi mungadaro mukaedzwawo. Batsiranai mukutakura mitoro yenyu. Saizvozvo munobva mazadzisa mutemo waKristu. Kana munhu achizviti ndini pano iye pasina zvaari anozvinyengedza. Munhu wose ngaazviongorore mabasa ake. Pakadaro chaanozozvirovera dundundu zvinhu zvinenge zviri maari pachake kwete zvokuzvienzanisa navamwe nokuti mumwe nomumwe ane zvinomuremera zvaanofanira iye pachake kutakurana nazvo. Munhu anenge achidzidziswa nomumwe shoko ngaagoverane zvinhu zvose zvakanaka nomudzidzisi wake. Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa. Munhu anodyara zvinonangana nomuviri wake, mumuviri iwoyo anozokohwamo kuora kwawo. Anodyarawo zvinonangana nemweya wake anokohwawo mumweya wake upenyu usingaperi. Ngatiregei kuneta kuita zvakanaka nokuti nenguva yacho tichazokohwa kana tikarega kurasa mwoyo. Naizvozvo patinenge tangowaniswawo nguva yacho ngatiitei zvakanaka kumunhu ari wose wose, asi zvikuru kune vemhuri yechitendero chedu. Tarisai muone kuti ndiri kukunyorerai namabhi akakura sei uye ndichikunyorerai noruoko rwangu. Vanhu vanoda kuzvionesa nezvinoonekwa pamuviri ndivo vanokumanikidzai kudzingiswa vachingoitira chete kuti varege kutambudzirwa muchinjikwa waKristu. Kunyange ivo vacho vanodzingiswa havachengeti zvisungo zvomutemo. Asi vanoda kuti imi mudzingiswe kuti vawane mukurumbira nezvakaitwa pamuviri penyu. Kana ndirini, hazvifaniri kumbopinda mupfungwa dzangu kuti ndizvirovere dundundu chimwe chinhu kunze kwomuchinjikwa waTenzi Jesu Kristu wakaita kuti nyika ishaye maturo kwandiri sokurovererwa kwayo pamuchinjikwa uye kuti ini ndishaye maturo kwairi sokuroverwawo kwayo pamuchinjikwa. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakurevi chinhu asi chisikwa chitsva. Rugare nengoni ngazvive kune vose vanofamba nenzira iyi nekune vaIsiraeri vaMwari. Kubvira zvino ngaparege kuwana anonditambudza nokuti ndine mavanga aJesu. Chikomborero chokuitirwa nyasha naTenzi wedu Jesu Kristu ngachive nemi hama dzangu. Ameni. Ndini Pauro ndakaitwa mupositori waKristu Jesu chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai imi vatsvene uye vanhu vakatendeka muna Kristu Jesu. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngaakuitirei nyasha akupei rugare. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaTenzi wedu Jesu Kristu akatikomborera muna Kristu; akatikomborera namakomborero ose ezvomweya okumatenga. Akatisarudza maari pasi pasati pasikwa kuti tive vatsvene vakarurama pamberi pake. Mwari, nechido chake, zvakamufadza kufanotisarudza nokuna Jesu Kristu kuti tive vana vake murudo, kuti Mwari arumbidzwe pamusana penyasha dzake dzisingatauriki dzaakatiitira nokuMwanakomana wake wapamwoyo pasina muripo. Nokwaari takawana ruponeso neropa rake rwokuregererwa zvikanganiso zvedu, maererano nokuwanda kwenyasha dzake dzaakatipavhurira. Noungwaru hwose uye zviri pachenawo, akatizivisa zvinhu zvakavandika, maererano nechinangwa chake chaakanga anacho muna Kristu chourongwa hwake hwokuti kana nguva yakwana, abatanidze zvinhu zvose, zviri kudenga nezviri pasi agozviisa pasi paKristu. Maari, sokutemwa kwazvakaitwa muurongwa huri kushanda muna zvose, nokuti chakanga chiri chido chake, isu takatanga kuva nechitarisiro muna Kristu, takasarudzwa tikapiwa basa rokurumbidza mbiri yake. Zvino, kana imiwo, muna Kristu, makanzwa shoko rechokwadi neShoko Rakanaka roruponeso rwenyu, mukatenda maari, makaiswa rupawo rwaMweya Mutsvene wechivimbiso. Mweya Mutsvene ndiye rubatso rwenhaka yedu kusvikira taiwana, mbiri yaMwari ichibva yarumbidzwa. Naizvozvo kana iniwo pandakanzwa zvechitendero chenyu muna Tenzi Jesu uye rudo rwenyu kuna vatsvene vose handizorori kutenda Mwari pamusana penyu ndichikuyeukai muminamato yangu ndichiti, “Dai Mwari waTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vembiri vangokupai Mweya woungwaru anozarurira vanhu kuti mumuzive uye kuti mwoyo yenyu ivhenekerwe kuti muzive chitarisiro chaakakudanirai uye upfumi hwenhaka yake inomukurumbira inowanikwa navatsvene uye hakusi kukura ikoko kwakaita simba rake matiri isu tinotenda sokushanda kwakaita simba rake guru raakashandisa munaKristu paakamumutsa kuvakafa akaita kuti agare kurudyi rwake kunzvimbo dzokumatenga. Kristu akaiswa pamusoro pavose zvavo vane ukuru ukuru, pamusoro pamadzishe navabati vezvigaro uye pamusoro pavane umambo, akapiwawo zita rinomukurumbira kupfuura mazita ose pasi pano nokudenga. Mwari akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamuita musoro wezvinhu zvose musangano riri iro muviri wake rinomuzadzisa iye azere pasi pose muna zvose.” Nokudaro akaita kuti imi muve vapenyu pamakanga muri vanhu vakafa pamusana pezvikanganiso nomuzvitadzo mamakambogara muchitevedza maitiro apanyika pano muchiteverawo changamire womweya inesimba iri mumhepo, mweya uri kushanda muvanhu vasingateereri. Isuwo tose takambogarawo mukati mazvo tichitevera havi dzomuviri wedu, tichitevera zvinoda muviri nepfungwa dzedu. Naizvozvo takanga takazvarirwa shamhu sezvakanga zvangoitawo vanhu vose. Asi Mwari, azere netsitsi, pamusana porudo rwake rukuru rwaakatida narwo, kunyange patanga takafa nokuda kokutadza kwedu, akatiita kuti tive vapenyu pamwe naKristu. Makaponeswa nenyasha. Akatimutsa pamwechete naye akaita kuti tigare naye mumatenga tiri muna Kristu Jesu, kuti mumazuva achauya, norudo rwake, aratidze upfumi husingaverengeki hwenyasha dzake kwatiri muna Kristu Jesu. Pamusana penyasha makaponeswa nechitendero, asi musiri imi munozviponesa; chipo chaMwari, kwete pamusana pamabasa kuti pasave nomunhu anozvikudza nokuti tiri basa ramaoko ake, takasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka akafanogadzirwa naMwari kuti tiatevedze. Naizvozvo, imi vechirudzi panyama, yeukai kuti maimbonzi vanhu vasina kudzingiswa navaya vakadzingiswa chiri chinhu chinoitwa panyama namaoko. Yeukai kuti panguva iyoyo imi makanga makaparadzana naKristu, muri vatorwa kumhuri yeIsiraeri makatsaurwa kuzvitenderano zvechipikirwa musina chitarisiro uye musina Mwari panyika. Asi iye zvino, muna Kristu Jesu, imi maimbova kure makaunzwa padyo neropa raKristu. Nokuti Kristu ndiye rugare rwedu akaita kuti tive vamwe akaputsa munyama yake chidziro chaiparadzanisa vanhu choruvengo nokudzima mutemo wemirao nezvirevo kuti aumbe maari iye munhu mumwechete mutsva panzvimbo yavaviri. Nokudaro akaunza rugare. Uye kuti nomuchinjikwa, atiwadzanise naMwari mumuviri mumwechete, nezvo achibva aparadza ruvengo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi maiva kure kure. Akaparidzawo rugare kune vakanga vari padyo nokuti nokwaari uye naMweya mumwechete tinowana masvikiro kuna Baba. Nezvo hamuchisiri vaenzi kana vatorwa asi mava vagari vomo pamwe navatsvene nenhengo dzemhuri yaMwari. Makavakwa pahwaro hwavapositori navaporofita, Kristu Jesu pachake ari iye ibwe rapakona. Paari ndipo pakabatanidzwa imba yose ichizokura muna Tenzi kuva Temberi inoera. Maari imiwo makavakwa mairi kuva nzvimbo yokugara yaMwari muna Mweya. Nokuda kwaizvozvi ini Pauro, musungwa waKristu Jesu pamusana penyu imi vechirudzi, ndinonamata kuna Mwari. Ndinofunga kuti makanzwa zvebasa renyasha dzaMwari routariri randakapirwa imi, rokuti zvakavandika zviya zvakaziviswa kwandiri muchiratidzo, sokunyora kwandakaita muchidimu. Mukazviverenga muchaona kunzwisisa kwandinoita zvakavandika zvaKristu zvisina kuziviswa kuvanhu mune zvimwe zvizvarwa sokuziviswa kwazvakaitwa naMweya iye zvino kuna vapositori vake vatsvene navaporofita zvokuti pamusana peShoko Rakanaka vechirudzi vavawo vagari venhaka navaJudha, uye vava nhengo dzomuviri mumwechete navo uyewo vanhu vanogoverana navo zvakapikirwa muna Kristu Jesu. Ini ndakaitwa mushandiri weShoko Rakanaka iroro maererano nechipo chenyasha idzodzo dzaMwari dzandakapiwa nokushanda kwesimba rake. Kunyange zvangu ndiri mudukuduku wokupedzisirira kuna vatsvene vose, nyasha idzi dzakapiwa kwandiri kuri kuti ndiparidze vechirudzi upfumi husingatauriki hwaKristu uye kuti ndionese vanhu vose urongwa hwezvakavandika zvakanga zvakavanzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa naMwari akasika zvinhu zvose kuitirawo kuti nomusangano, ungwaru hwaMwari hwakasiyana — siyana huratidzwe zvino kune mweya mikurukuru neino ushe yomumatenga. Izvi zvaifambirana nezvirongwa zvavo zvokugara nokugara zvakazozadzikiswa muna Kristu Jesu Tenzi wedu, anotipa kuti tive nechivindi nechivimbo chokusvika pana Mwari nokuda kwechitendero chedu maari. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti musarase mwoyo pamusana pezvandiri kutambudzikira imi. Inga ndizvo zvinokupai kuti murumbidzwe wani. Nokuda kwaizvozvi ndinopfugama namabvi angu mberi kwaBaba kunobva chose chinotumidzwa kuti mhuri, chingave kudenga kana kuti pasi pano. Ndinonamata kuti kubva muupfumi hwavo hune mbiri akusimbaradzei nesimba nokuna Mweya, umunhu hwenyu hwomukati uye kuti nechitendero chenyu Kristu aite musha wake mumwoyo yenyu kuti imi mudzike midzi yenyu uye kucherera hwaro hwenyu murudo, kuti muwane simba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose upamhi nourefu nokukwira kumusoro mudenga noudzamu uye kuti muzive rudo rwaKristu runopfuura ruzivo kuti muzadzwe naMwari wose sezvaari. Zvino iye ane simba rinoshanda matiri anokwanisa kuita zvakawandisisa kupfuura zvose zvatingakumbire kana zvatingafunge iye ngaarumbidzwe musangano uye muna Kristu Jesu kuzvizvarwa nezvizvarwa narini narini wose Ameni. Naizvozvo ini musungwa akasungirwa Tenzi ndinokukumbirai kuti mugare upenyu hunowirirana noupenyu hwamakadaidzirwa. Ivai nemwoyo wokuzvirereka nemwoyo munyoro nemwoyo murefu muchitirirana zvine rudo muine shungu dzokuchengetedza Mweya wokubatana kwamakaita makasunganidzwa norugare. Kunongova nomuviri mumwechete naMweya mumwechete sokudaidzirwa kwamakaitwa chitarisiro chimwechete pamakadaidzwa. Kuna Tenzi mumwechete nechitendero chimwechete noruombeko rumwechete. Kuna Mwari mumwechete Baba vedu tose vari pamusoro pavose vanoshanda nomuna vose uye muna vose. Mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha zvichienderana nokukura kwechipo chaakapiwa naKristu. Saizvozvo zvinonzi, “Paakakwira kumusoro akatungamirira gurusvusvu ravasungwa akapa zvipo kuvanhu.” Ko, kuti akakwira kumusoro kunoreva kuti kudii? Kunorevawo kuti akambodzika pasi pasi penyika. Iye akadzika ndiyewo akakwira kumusorosoro kwamatenga ose kuti azadze zvinhu zvose. Zvipo zvake zvaiva zvokuti vamwe vave vapositori, vamwewo vave vaporofita uye vamwe vave vaparidzi veShoko Rakanaka, vamwe vari vafudzi, vamwe vari vadzidzisi kuti vatsvene vawaniswe ruzivo rwebasa rezvokwaMwari kuti muviri waKristu uumbwe kusvikira tose tave vamwechete muchitendero nomukuziva Mwanakomana waMwari kusvikira tave vanhu vabve zano kusvikira tava nechimiro chaKristu chizere. Izvi zvinoita kuti tirege kuramba tiri vana vanoitwa sukunasai vanongopeperetswa kose kose nechidzidziso chipi nechipi choujarijari hwavanhu nokusvinuka kwavo muunyengedzi. Asi, zvirinani kutaura chokwadi murudo. Tinofanira kukura muna zvose maari iye musoro, Kristu. Ndiye anoita kuti muviri wose ukure uchizviumba murudo wakabatana uye wakarukana nenhengo dzose dzauinadzo chero nhengo imwe neimwe ichiita basa rayo zvakanaka. Zvino izvi ndizvo zvandinotaura ndichisimbisisa kwazvo muzita raTenzi kuti hamufaniri kunge muchagara savahedheni nepfungwa dzavo dzisina maturo. Pfungwa dzavo dziri murima. Vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari pamusana pokushaya ruzivo kuri mavari nokuda kokuomarara kwavo komwoyo yavo. Havasisina nyadzi; kana kuzvibata uye vanamakaro. Hazvisiri izvo zvamakadzidza pana Kristu. Makanzwaka imi nezvake mukadzidziswa maaari chokwadi sezvachiri muna Jesu. Chibvisai humunhu hwenyu homugariro wenyu wakare hwakaodzwa nehavi dzounyengedzi, muvandudzwe patsva mumweya nomupfungwa dzenyu, mupfeke unhu hutsva hwakasikwa hwakatodzana naMwari muururami noutsvene huri pachokwadi. Naizvozvo chikandai pasi nhema, munhu oga oga ataure chokwadi kuno mumwe wake nokuti tiri mutezo womumwe nomumwe wedu. Kushatirwa mungashatirwe zvenyu asi musapare chitadzo. Musavidze zuva makashatirwa muchipa Dhiabhori mukana. Mbavha ngaachirega kuba ichiita basa kwaro namaoko ayo [rinoiraramisa] kuti ibatsire vasina chokubata. Mumuromo menyu ngamurege kubuda mazwi akaora asi mazwi ayo chete anovaka anofambirana nezviripo kuti ape chikomborero vanenge vakateerera. Muregewo kutsamwisa Mweya Mutsvene waMwari nokuti ndiye wamakapiwa naye rupawo kuitira zuva reruponeso. Bvisai mamuri nduramwa dzose nokutsamwa, nehasha nokupopota namakuhwa nouipi hwose. Itiranai zvakanaka muve nomwoyo murefu muchiregererana sokuregererwa kwamakaitwa naMwari muna Kristu. Naizvozvo savana vaMwari vapamwoyo, tevedzai zvinoita Mwari. Garai upenyu hworudo sokutida kwakaita Kristu akazvipirira isu ari mupiro unonhuwirira nechibayiro kuna Mwari. Sechinhu chinokodzerana navatsvene, pakati penyu hapafaniri kana kudomwa zvako upombwe nezvinhu zvose zvakaora kana makaro. Ngaparege kuva nezvinhu zvisingakodzeri nezvetsvina zvose kana tunyaya tusina maturo kana kushaya hunhu asi chinofanira kuvapo kutenda. Chamunofanira kuva nechokwadi nacho ndechichi chokuti hakuna anowana nhaka youmambo hwaKristu nohwaMwari kana ari mhombwe kana anoita zvakaora kana munhu ana makaro, iyeyo ndiye munhu anonamata mwari asiri iye. Musanyengedzwe nomunhu ana mazwi asina maturo nokuti pamusana paizvozvi Mwari anoitira hasha vanhu vasingateereri. Nezvo musafambidzane navo nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. ( Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.) Edzai kudzidza zvinofadza Tenzi. Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei nokuti zvinotonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita muchivande. Asi kana chinhu chose chaburitswa pachena nechiedza chinobva chaonekwa. Zvino, chinhu chinenge chavakuoneka chinobva chava chiedza. Ndokusaka zvichinzi; “Muka iwe uvete, muka muvakafa, Kristu achakuvhenekera.” Naizvozvo fambai makachenjera kwete savanhu vasina kungwara asi savanhu vakangwara. Nyatsoshandisai nguva yenyu nokuti kwaipa mazuva ano. Naizvozvo musave mazirema asi nzwisisai zvinoda Tenzi uye musararadze newaini nokuti unzenza hwakapfuuridza ihwohwo, asi ini zadzwai naMweya. Tauriranai muchiimbirana nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchiimba muchiita mumhanzi kuna Tenzi nemwoyo yenyu yose muchitenda Mwari Baba muzita raTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose uye muna zvose. Zviisei pasi pomumwe nomumwe wenyu pamusana pokuremekedza Kristu. Imi vadzimai zviisei pasi pavarume venyu sokuna Tenzi nokuti murume ndiye musoro womudzimai sezvakangoita Kristu ari musoro wesangano iro riri muviri wake uye iye ari mununuri waro. Sangano sezvariri pasi paKristu, vadzimaiwo ngavave pasi pavarume vavo muna zvose. Imi varume idai vadzimai venyu sokuda kwakaita Kristu sangano akazvipira iye pamusana paro kuti ariite dzvene, mushure mokunge ari shambidza mumvura neshoko kuti aritsvitse kwaari rakanaka kwazvo risina kana kavara kana pakaunyana kana chimwe chakadaro kuti rive dzvene risina chinoshoreka. Saizvozvo varume vanofanira kuda vadzimai vavo sokuda kwavanoita miviri yavo. Munhu anoda mudzimai wake ari kutozvida iye pachake nokuti hapana munhu anovenga muviri wake. Asi anotoupa chokudya nokunyatsouchengetedza sezvinoita Kristu kusangano. Izvi pamusana pokuti tiri nhengo dzomuviri wake. Nokuda kwaizvozvi murume anosiya baba vake naamai vake achibatanidzwa nomudzimai wake. Vose vari vaviri vachiva nyama imwechete. Ichi chinhu chikuru chakavandika. Ndiri kureva nezvaKristu nesangano. Asi izvi zvinorevawo imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaade mudzimai wake sokuzvida kwaanoita iye pachake. Mudzimai ngaaremekedzewo murume wake. Imi vana, teererai vabereki venyu muna Tenzi nokuti ndizvo zvakanaka. “Remekedza baba naamai vako.” Uyu ndiwo mutemo unotanga kutaura uine chitsidzo kuti zvikufambire zvakanaka uye kuti ugare nguva ndefu panyika. Imi vabereki musashatirise vana venyu asi vayarutsei mukuzvibata nechidzidziso chaTenzi. Imi varanda teererai vanatenzi venyu vapano pasi muchivaremekedza nokuvateerera zvakaperera sokunge muri kuzviitira Kristu kwete zvechipameso zvokufadza vanhu asi savaranda vaKristu muchiita zvinodiwa naMwari nomwoyo wose. Munofanira kuita basa renyu nechido sokunge muri kuriitira Tenzi kwete sokunge muri kuriitira vanhu. Zivai kuti munhu anoita zvakanaka achapiwa zvakanaka naTenzi kunyange ari muranda kana musununguki. Imi vana tenzi itaiwo zvimwechetezvo kwavari. Musavatyisidzire. Zivai kuti Tenzi wavo ari kudenga ndiye Tenzi wenyuwo uye kuti iye haana rusaruro. Pokupedzisira itosimbai muna Tenzi uye nokusimbarara kwesimba rake. Pfekai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumirisana namazano akaipa aDhiabhori nokuti hatisi kurwisana navanhu asi nomweya ine ukuru ukuru, neino ushe nemweya inotonga pasi pose pano pane rima riripo iri uye tiri kurwisana nehondo nehondo dzomweya youipi iri mumatenga'mu. Naizvozvo torai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumira pazuva iroro rinenge rakaipa. Kana marwisa zvakaomarara zvazvo kudaro imi mucharamba makamira. Saizvozvo mirai makazvisunga zviuno zvenyu nechokwadi sebhande makapfeka demautare rapaditi rokururama. Mutsoka dzenyu pfekai shangu dzokuda kuparidza Shoko Rakanaka rorugare uyewo garai nguva dzose makabata nhoo yechitendero yamunogona kudzima nayo miseve yose yomoto yewakaipa. Dzikai mumusoro ruponeso senguwani muine bakatwa raMweya zvichireva Shoko raMwari. Namatai nguva dzose muina Mweya. Itai minamato nemikumbiro. Nechikonzero ichochi garai makangwaririra musingamborasa mwoyo muchikumbirira vatsvene vose. Ndikumbirireiwo ini kuti ndiwaniswe mashoko pandinenge ndave kuda kutaura kuti ndiparidze nechivindi chakavandika chiya chezveShoko Rakanaka randiri nhume yaro iri muusungwa kuti ndiriparidze ndakashinga sezvandinofanira kuita. Zvino kuti imi muzivewo kuti ndakadii uye kuti ndiri kuitei, Tikikusi achakutaurirai zvose. Iye ihama yedu yapamwoyo uye mushandi wedu akatendeka muna Tenzi. Ndamutumira ikoko nechikonzero ichochi kuti muzive kuti takadii kuno uye kuti akusimbaradzei mwoyo. Hama Mwari Baba naTenzi Jesu Kristu ngaakuwanisei rugare norudo nechitendero. Dai vose vanoda Tenzi Jesu Kristu norudo rusingaperi vangoitirwa nyasha. Ndini Pauro naTimoti varanda vaKristu Jesu ndinokunyorerai imi mose vatsvene muna Kristu Jesu vari kuFiripi namabhishopi namadhikoni. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha vakupei rugare. Ndinotenda Mwari wangu pose pandinokufungai uye nguva dzose pose pandinokunamatirai mose, ndichikunamatirai nomufaro ndichitenda Mwari norubatsiro rwenyu muShoko Rakanaka, kubvira pazuva rokutanga kusvikira pari nhasi. Ndine chokwadi chokuti iye akatangisa basa iri rakanaka mamuri, acharipedzisa pazuva raKristu Jesu. Munogara muri mumwoyo mangu mose zvenyu. Naizvozvo zviri pamwerowo kuti ndifunge kudai nezvenyu nokuti tinogoverana nyasha muusungwa hwangu uye mukurwira kusimbisa Shoko Rakanaka. Mwari angatondipupurirawo kuti ndinokusuwai sei mose ndiine rudo runa Kristu Jesu. Chandinokunamatirai ndechokuti dai rudo rwenyu rwangoramba rwuchifashukira kuwanda muine ruzivo nechipo chokugona kuona zvinhu nemazvo kuti mukwanise kusarudza chakanakisisa uye kuti muve vatsvene vasina chinoshoreka pamuri pazuva raKristu, makazadzwa nemichero yoururami inouya nokuna Jesu Kristu zvichipa mbiri norukudzo kuna Mwari. Hama dzangu ndingade kuti muzive kuti zvakaitika kwandiri zvakatobatsira kuenderera mberi kweShoko Rakanaka zvokuti zvavakutozivikanwa nevokuchengetedza mumuzinda navamwe vose kuti kuva mujeri kwangu, pamusana paKristu. Kuva mujeri kwangu kwakapa kuti ruzhinji rwevehama ruve nechivindi muna Tenzi uye vatova vanhu vasingambokatari zvavo kutaura Shoko raMwari. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu pamusana peshanje uye zvamakakatanwa asi vamwe vanozviita nemwoyo wakanaka. Ava vanozviita pamusana perudo vachiziva kuti ini ndiripo kurwira Shoko Rakanaka. Vamwe ava vanoparidza Kristu nomwoyo wokungozvifunga ivo pachavo kwete nokutendeka, asi vachida kundirwadzisa ndiri mujeri. Hazvinei hazvo. Chiripo chete ndechokuti Kristu anoparidzwa nenzira dzakawanda, dzingave nzira kwadzo kana dzisina kunaka asi Kristu ari kuparidzwa. Izvozvo ndizvo zvinondifadza zvikuru. Aiwa! Zvinofadza kwazvo nokuti ndinoziva kuti neminamato yenyu uye norubatsiro rwaMweya waJesu Kristu ndichanunurwa. Chido changu nechitarisiro changu ndechokuti ndirege kumbofa ndakanyara asi ndive nechivindi chizere zvino uye samazuva ose Kristu acharumbidzwa mumuviri wangu noupenyu hwangu kana norufu rwangu nokuti kwandiri kurarama kwangu ndiKristu; kufa kupfuma. Dai kuri kuti ndinoramba ndiri mupenyu ndingatoita basa rine chimuko. Zvino chokuti ndisarudze ipapa ndachishaya. Ndakamanikwa pakati pazvo. Chido changu ndechokuti ndibve ndiende kuti ndindova naKristu nokuti ndizvo zvinotova nani kwazvo. Asiwo kuva mupenyu kunotodikanwa zvikuru pamusana penyu. Ndine chokwadi nezvizvi zvokuti ndichange ndiripo ndigoenderera mberi ndinemi mose kuti mukwanise kufambira mberi muine rufaro muchitendero chenyu kuti muwane chikonzero chokupa mbiri kuna Kristu Jesu pamusana pangu nokuti ndiri kuuyazve kwamuri. Chete, mugariro wenyu ngaufambirane neShoko raKristu, kuitira kuti kunyange ndikauya ndichizokuonai kana kuti ndisiko zvangu ndinzwe kuti makamira zvakasimba muine mwoyo nepfungwa imwecheteyo muchiita chirwirangwe pachitendero cheShoko Rakanaka. Mune chii nechii zvacho musatye mhandu dzenyu. Ichi chinobva chava chiratidzo chokuparadzwa kwavo asi chiri chiratidzo chokununurwa kwenyu chinobva kuna Mwari. Chikonzero ndechokuti pamusana paKristu makapiwa, kwete kuti mungodavira chete maari, asi kuti mumutambudzikirewo. Tiri muhondo imwecheteyo yamakandiona ndichirwa uye yamunonzwa kuti ndichiri kungorwisa. Zvino kana imi muine chinokukurudzirai muna Kristu, muine rudo runokugadzanisai mwoyo, muina Mweya uye muine rudo nomutsa, chiitai kuti ndinyatsofara nokuva nomwoyo mumwechete kwenyu muchidana zvimwechetezvo, muchinzwana muine mweya mumwechete. Musaite chii zvacho pamusana pokungozvifunga kana pamusana pokuzvikudza. Asi zvirerekei mutore vamwe savari nani kwamuri. Munhu ngaarege kungoisa ziso pane zvake chete asi ngaaite hanya nezvavamwe. Pakati penyu ivai nemwoyowo uyu mamuri waiva naKristu Jesu wokuti: Kunyange zvake akanga ari zvimwechetezvo naMwari, haana kuti ndoramba ndakangoomerana nokuenzana naMwari ikoko. Asi akazvidurura zvokuzvikwengura iye pachake akatora chimiro chomuranda akaberekwa akangoitawo zvakangoita vanhu. Ava munhu kudaro akazvidukupisa akateerera kudzamara pakufa, rufu rwomuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamusimudzirawo pamusorosoro akamupa zita rapamusorosoro kupfuura mazita ose; zvokuti kuremekedza zita raJesu, mabvi ose avari kudenga navari pasi pano navari pasi penyika, anofanira kumupfugamira uye kuti rurimi rumwe norumwe rutaure pachena kuti Jesu ndiTenzi kuitira kuti Mwari Baba varumbidzwe. Naizvozvo hama dzangu dzadiwa, savanhu vanoteerera nguva dzose, nezvo nyatsoshandirai ruponeso rwenyu muchitya uye muchidedera kwete kana ndiripo chete asi zvikuru kana ndisipo nokuti Mwari anoshanda mamuri kuti mude uye kuti mumushandire zvaanoda. Itai zvose musinganyunyuti kana kuita nharo kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika. Kubatisisa kwenyu shoko roupenyu ndiko kuchaita kuti ndizvikudze pazuva raKristu kuti handina kumhanyira pasina kana kushandira pasina. Kunyange zvazvo ndikadururwa somuteuro pamusoro pemupiro wechibayiro chechitendero chenyu ndinofara nokupembera pamwe nemi mose nemiwo munofanira kufara nokupembera pamwechete neni. Kana Tenzi Jesu ari mazviri, ndinotarisira kutuma Timoti kwamuri kuti ndifaranutswe kunzwa nezvenyu. Handina mumwe ane mwoyo wakaita sowake, ane hanya chaidzo noupenyu hwenyu. Vose vari kungotsvaka zvavo bedzi, kwete zvaJesu Kristu. Asi hunhu hwaTimoti munohuziva kuti akashanda neni pane zveShoko Rakanaka somwana nababa. Naizvozvo ndinotarisira kumutumira kana ndangoona kuti zviri kundifambira sei. Ndinovimba naTenzi kuti iyeni pachangu ndichauya nokukurumidza. Ndinofunga kuti ndinofanira kutumira Epafurodhitosi, hama yangu nomushandipamwe neni, iye musoja pamwe neni. Ndiyewo mutumwa wenyu, kwandiri uye munhu anondibatsira mune zvandinoshaya. Iye akanga achisuwira kwazvo kukuonai mose. Zvakamurwadza kwazvo kuti imi makanzwa kuti iye airwara. Ichokwadiwo kuti airwara, zvokutoda kufa asi Mwari akamuitira tsitsi, kwete iye chete asi kana iniwo kuti ndirege kuva nenhamo pamusoro peimwe nhamo. Nezvo ndinodisisa kwazvo kumutumira kuti mufare kwazvo kumuonazve uyewo kuti ndinge ndinoti gadzanei mwoyo. Nezvo mugamuchirei nomufaro muna Tenzi. Remekedzai vanhu vakadai nokuti akaisa upenyu rwake parumano zvokutoda kufira basa raKristu kuti andipe rubatsiro rwamakanga musingakwanisi kundipa. Pokupedzisira hama dzangu ndinoti farai muna Tenzi. Hachisi chinhu chinondinetsa kukunyorerai zvakare zvinhu zvandakambokunyorerai zvinotokuchengetedzai. Chenjererai imbwa dzavanhu dziya, chenjererai vanhu avo vanoita zvakaipa. Chenjererai vanhu ivavo vanodzingisa nokuti isu ndisu vedzingiso yechokwadi, vanonamata Mwari muMweya uye tinovimba naKristu Jesu. Hativimbi nezvinoitwa panyama kunyange zvazvo ini ndichigona kuvimba nezvakaitwa pamuviri wangu. Kana pane munhu angafunge kuti ane chikonzero chokuvimba nezvakaitwa panyama, ini ndinazvo zvakatopfuura izvozvo kuwanda. Ini ndakadzingiswa pazuva rorusere uye ndiri werudzi rwechiIsiraeri. Ndiri wedzinza rokwaBhenjamini, muHebheru chaiye akaberekwa ari muHebheru. Kune zvokuzochengeta mutemo ndiri muFarisei. Kunezveshungu nezvinhu, ndaitova mutambudzi weSangano. Pane zvoururami pakuchengeta mutemo, ndakanga ndisina chandinopomerwa. Asi zvandaiona sezvine basa kwandiri, ndava kuzvitora sokutorasikirwa kwandakaita pamusana paKristu. Ichokwadi chaicho kuti ndavakuzviona zvisina basa kwandiri pamusana pechinhu chakanakisisa kwazvo chokuziva Kristu Tenzi wangu. Nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona samarara kuti ndiwane Kristu kuti ndiwanikwewo muna Kristu ndisina ururami hwangu pachangu hunobva mukuchengeta mutemo asi hunobva mukutenda kwangu muna Kristu, ururami hunobva kuna Mwari nechikonzero chechitendero ichocho. Ndinoda kuziva Kristu uye simba rokumuka kwake uyewo kuti ndigoverane naye matambudziko ndichivawo saiye murufu rwake kuti, kana zvichigoneka, ndizomukawo panomuka vakafa. Hakusi kuti ndakatowana kare izvi kana kuti ndava munhu azere paururami asi ndinongoramba ndichivavarira chete kuti ndiwane mubayiro iwoyo nokuti Kristu Jesu akandiita wake. Hama dzangu, ini handingati mubayiro iwoyo ndakatouwana kare asi chinhu chimwechete chandinoita ndechokuti, ndinokanganwa zveshure ndoramba ndichivavarira zviri mberi. Ndinoramba ndichingovavarira kusvika pakatarwa kuti ndiwane mubayiro wokumusoro unodaidzirwa naMwari muna Kristu Jesu. Isu tabve zero ngativei nemwoyo iwoyo asi kana musina mwoyo wakadaro, Mwari achakuratidzaiwo pachena izvozvo. Zvakadaro zvazvo ngatirambei takabatisisa zvatinazvo. Hama dzangu, batanai mukunditevedzera, muongorore vanogara zvakadaro, maererano nomuenzaniso watakakupai. Vamwe vazhinji vandaigara ndichikutaurirai, vandinokutaurirai zvakare nemisodzi padama, vanogara semhandu yomuchinjikwa waKristu. Mugumo wavo kuparara. Mwari wavo inhumbu uye vanozvirumbidza nezvavanofanira kunyara nazvo, mwoyo yavo iri pane zvapano pasi. Nyika yedu isu iri kudenga. Ndiko kwatinotarisira kuti kuchabva mununuri Tenzi Jesu Kristu. Ndiye achasandura muviri wedu uno wenhando achiuita semuviri wake wembiri nesimba rinomugonesa kuisa zvinhu zvose pasi pake. Naizvozvo hama dzangu dzandinoda dzandinosuwa, ndimi rufaro rwangu nechidadiso changu. Rambai makasimba muna Tenzi saizvozvo, hama dzangu dzapamwoyo. Ndinokukumbirisai imi vaYuodia navaSindike kuti munzwanane muna Tenzi. Hongu ndinokumbirawo, iwe mumwe wangu akatendeka kuti ubatsire madzimai aya nokuti vakashanda pamwechete neni mubasa reShoko Rakanaka pamwechetewo naKeremendi navamwe vose vandaishanda navo vana mazita ari mubhuku roupenyu. Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo. Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda. Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu. Pokupedzisira hama dzangu, chinhu chose chinenge chiri chechokwadi kana chinoremekedzeka kana chakarurama kana chitsvene chose nechinoyevedza kana chinoyemurika nechino runako rwakanyanya kwazvo kana chinorumbidzika, nyatsozvidzamisai izvozvo mundangariro dzenyu. Itai zvamakadzidza mukagamuchira nokunzwa nokuona mandiri. Mwari worugare achava nemi. Ndinofara zvikuru kwazvo muna Tenzi kuti zvazoitika zvino kuti mazondifungazve. Maindirangarira zvenyu asi makanga musina kuwana mukana wacho. Handisi kutaura izvi pamusana pokushaya chokubata nokuti ini ndakadzidza kugutsikana namamiriro anenge akaita zvinhu kwandiri. Ndinoziva kuva murombo, ndinozivawo chinonzi kupfuma. Mune chipi nechipi uye muna zvose ndakadzidza kuva nezvakawanda nokuva nenzara, kuva nezvakawandisisa nokuva noushai. Ndinogona kuita zvinhu zvose maari iye anondisimbisa. Asi imi makaita zvakanaka kwazvo pamakabatana neni mumatambudziko angu. Imi vanhu veFiripi, sokuziva kwenyu, imi pachenyu, kuti pakutangisa kweShoko Rakanaka, pandakabva kuMasedhonia, hakuna rimwe sangano rakabatana neni ndichiita kandiro enda kandiro dzoka navo kusiya imi moga. Kunyange kuTesaronika makanditumira rubatsiro kaviri kose. Hakusi kuti kungoda zvipo asi kuti ndinoda muchero unowedzerwa kwamuri. Makandiripa zvizere uye zvakapfuurikidza. Ndava nezvose pandadai kugamuchira kuna Epafurodhitusi zvipo zvamakanditumira, mupiro chaiwo, chibayiro chinogamuchirika chinofadza Mwari. Mwari wangu achakupai zvose zvamunenge musina maererano noupfumi hwake husingatauriki muna Kristu Jesu. Mwari wedu naBaba ngavarumbidzwe narini narini. Ameni. Ndikwazisirei vatendi vose muna Kristu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai. Vatendi vose vanokukwazisai asi zvikuru vemba yaSiza. Jesu Kristu ngaakuitirei mose nyasha. Ndini Pauro akaitwa mupositori waKristu Jesu nokuda kwaMwari naTimoti hama yedu takunyorerai imi vokuKorose, vatsvene uye hama dzakatendeka muna Kristu. Mwari Baba wedu ngavakuwanisei nyasha norugare. Tinotenda Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose dzatinokunamatirai. Tinodaro nokuti takanzwa nezvechitendero chenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose pamusana pechitarisiro chezvamakachengeterwa kudenga. Izvi makazvinzwa kare mushoko rechokwadi, Shoko Rakanaka rakasvika kwamuri. Sezvariri kungoitawo pasi pose kubereka muchero richipararira, ndozvariri kuitawo pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa mukanzwisisa nyasha dzaMwari nechokwadi chezvariri sokuzvidzidza kwamakaita kuna Epafurasi mushandipamwe nesu wapamwoyo. Mushandi akatendeka waKristu anomirira isu, iye akatizivisawo rudo rwamakawana muna Mweya. Naizvozvo kubvira musi watakazvinzwa hatimborega kukunamatirai tichikumbira kuti muve noruzivo ruzere rwezvaanoda muungwaru nokunzwisisa kwezvomweya kuitira kuti mugare upenyu hunokodzerana naTenzi, hunomufadza zvizere huchibereka michero yakanaka mumabasa ose uyewo muchikurakura mukuziva kwenyu Mwari. Dai mukasimbaradzwa nesimba rose maererano nesimba rake rinomukurumbira kuti muve nokutirira nemwoyo murefu. Norufaro, tendai Baba, vakatikodzeresa kuva nomugove wavarurami, muchiedza. Vakatinunura kuumambo hwerima vakatiendesa muumambo hwomwanakomana wavo wapamwoyo. Maari ndimo matakawana ruponeso rwokuregererwa zvitadzo. Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi. Dangwe — rume rechisikwa chiri chose nokuti maari, Mwari ndomaakasika namo zvinhu zvose, zviri pasi nezviri kudenga, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kunyange vezvigaro zvokutonga kana voumambo kana kuti vane ukuru — ukuru kana madzishe. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari uyewo ndiye wazvakasikirwa. Ndiye nyakutangira zvinhu zvose uye maari zvinhu zvose zvinobatanidzwa zviri mumaoko ake. Ndiye musoro womuviri, musoro wesangano. Ndiye wokutanga dangwerume revakabva kuvafi, kuti muna zvose ave ndiye wokutanga — tanga nokuti maari umwari huzere hwakafadzwa kuita musha wahwo uye kuti nemaari, ayananise zvinhu zvose naye. Achizviwadzanisa neropa romuchinjikwa wake, zvingave zviri pasi pano kana zviri kudenga. Zvino imi makambenge makatsauka, makapanduka mwoyo, muri vezviito zvakashata, akakuyananisai nomuviri wake wenyama nokufa kwaakaita kuti akutsvitsei kwaari muri vatsvene, vasina chinoshoreka uye vasina mhosva yavangapiwe. Anogona kuzviita chete kana imi mukaramba muine chitendero makadzika midzi musingazunguziki, musingakande pasi chitarisiro chamunowana muShoko Rakanaka ramakanzwa rakaparidzwa kuzvisikwa zvose zviri pasi pedenga. Ini Pauro ndakave mushandiri waro. Zvino, ndinofara namatambudziko angu andinotambudzikira imi. Mumuviri wangu ndinozadzisa zvakasara pakutambudzika kwaKristu achitambudzikira muviri wake, sangano. Sangano iroro, ndiro randakava mushandiri waro maererano nomugove webasa randakapirwa imi naMwari kuti Shoko raMwari rizivikanwe zvizere. Ndicho chakavandika chiya kubvira pasichigare kwezvizvarwa nezvizvarwa asi iye zvino chavakuburitswa pachena kuvatsvene vake. Mwari akada zvake kuzivisa vechirudzi kuwanda kwakaita upfumi hwembiri yechakavandika chiya. Chakavandika chacho ndiKristu ari mamuri iye chitarisiro chembiri. Ndiye watinoparidza, tichichiyambira munhu wose tichidzidzisa munhu wose muungwaru hwose kuti akutsvitsei mava vanhu vabva zano muna Kristu. Izvozvi ndizvo zvandakashingairira ndikatamburira nesimba rake rose rinoshanda mandiri zvakanyanya kwazvo. Ndingade ini kuti imi novokuRaodhesia navamwe vose vasati vandiona uso nouso, muzive kuti ndinokutamburirai zvakakura sei. Ndinoita izvi kuti vakurudzirwe mwoyo vari murudo kuti vawane upfumi hwose hwokunzwisisa hunogadzanisa mwoyo uye kuti vawane ruzivo rwechakavandika chaMwari zvichireva iye Kristu. Maari ndimo mune upfumi hwose hwoungwaru noruzivo zvakavandika. Ndinodaro kuti pasave nomunhu anokunyengedzai namashoko anotapira nokuti kunyange zvangu ini mbune ndisiko ikoko asi ndinemi mumwoyo, ndichifarira kuona kuzvibata kwenyu nokusimbarara kwechitendero chenyu muna Kristu. Sezvo makagamuchira Kristu Jesu Tenzi naizvozvo fambai maari, mudzike midzi maari makavakwa paari makanyatsosimba kumira muchitendero sokudzidziswa kwamakaitwa muchiwanzotenda. Ngwarirai kuti pasave nomunhu anokuitai chinhu chokutamba nacho achisevenzesa ungwaru nounyengedzi husina maturo achitevedza magamuchidzanwa avanhu uye achitevedza zvemweya yapanyika asingatevedzi zvaKristu. Chikonzero ndechokuti umwari huzere hunogara maari sechinhu chaicho. Maari, imi makauya kuupenyu huzere, kuna iye mutongi wavatongi nomukuru wavakuru — vakuru. Mukudzingiswa kwaKristu maari imi makadzingisawo, kwete nokudzingiswa kwakaitwa namaoko muchibvisa muviri wenyama mukudzingiswa kwaKristu. Makavigwa pamwechete naye mukuombekwa, imomo makamuka naye pamusana pechitendero chenyu mukushanda kunoita Mwari akamumutsa kuvafi. Imi makanga makafa pamusana pezvikanganiso zvenyu nokusadzingiswa kwenyama yenyu, Mwari akaita kuti tive vapenyu pamwechete naye, iye atiregerera zvikanganiso zvedu zvose. Izvozvo ainge adzima chiga chemhosva yakanga yakanangana nesu nomutemo waitiroverera, iwoyu akaubvisa akauroverera pamuchinjikwa. Akabvutira veukuru ukuru vaya namadzishe aya zvombo zvavo zvokurwisa achivaita ivo muenzaniso unoonekwa nani nani zvake achivakurira pachiri. Naizvozvo musave nomunhu anokutongerai munezvokudya, kana zvokunwa, kana mune zvamazuva makuru, kana zvokugara kwomwedzi kana nezveSabata. Izvi zvinongova mubvuri zvawo wezvichauya asi zvinhu chaizvoizvo zvinhu zvina Kristu. Musabvumire munhu kuti akutii hamukodzeri pamusana pokuvavaridza panyaya dzokuzvirwadzisa kana kunamata vatumwa achiti anoona zviratidzo achinyunduma zvisina musoro nepfungwa dzamanyawi chete asingasimbi nokubatirira kumusoro unopa muviri wose chokudya uye unoubatanidza nenhengo namarunda unokura uchikuriswa naiye Mwari. Kana makafa pamwechete naKristu kunezvemweya yenyika munogarirei sokunge muri venyika, munozviisirei pasi pemitemo inoti, “Zvinoera kugunzwa ichi,” “Zvinoera kuravira ichi,” “Zvinoera kubata icho?” Izvozvo vachitaura nezvezvinhu zvinopera pazvinoshandiswa muchitevera mirau nezvidzidziso zvavanhu. Izvi zvinotarisika soungwaru mukuzviomesera kwavanoita pakunamata kwavo vachizvininipisa uye kuzvirwadzisa kwavanoita muviri asi zvisina chazvinobatsira pakudzora munhu pahavi dzomuviri wake. Zvino kana makamuka pamwechete naKristu kudai tswakai zviri kumusoro kuna Kristu kwaagere kurudyi rwaMwari. Isai mwoyo yenyu kune zvokudenga, kwete zvapasi pano. Ndinodaro nokuti makafa uye kuti upenyu hwenyu hwakavigwa pamwechete naKristu muna Mwari. Panenge iye Kristu, upenyu hwedu, azozviratidza, ipapo, imiwo muchazoratidzwa muinaye mumbiri. Naizvozvo urayai zvenyika zviri mamuri izvi zvinoti: ufeve, zvisina kuchena, havi dzakaipa, nokudokwairira uipi nokukarira upfumi zvinongova zvimwechetezvo nokunamata zvifananidzo. Pamusana paizvozvi Mwari ari kuuya akashatirwa. Makambofamba mazviri pamaigara mazviri. Zvino chisiyanai nazvo zvose zvinoti: hasha, noukasha, nouipi nokureva vamwe nokutaura zvinonyadzisa. Musareverane nhema sezvamunongozvionawo kuti makabvisa upenyu hwenyu hwakare namaitiro ahwo mukapfeka upenyu hutsva huri kuvandudzwa noruzivo kuti hufanane nomusiki warwo. Pano apa hapana zvokuti uyu muGiriki here kana kuti muJudha; kana kuti uyu akadzingiswa here kana kuti haana kudzingiswa; kana kuti uyu ndewechirudzi here kana kuti muSitia, kana kuti muranda here kana kuti munhu anorusununguko rwake asi kuti Kristu ndiye zvose uye kuti ari muna vose. Naizvozvo imi vasarudzwi vaMwari, vatsvene vapamwoyo, pfekai tsika yemwoyo wetsitsi, nomwoyo wokuzvirereka, nomwoyo munyoro nomwoyo murefu, nokutirirana uye kuti kana mumwe ane nhuna nomumwe vachiregererana, sokuregererwa kwamakaitwa naTenzi imiwo munofanira kuregererana. Pamusoro paizvozvi pfekai rudo runobatanidza zvose pamwechete mukuwirirana chaiko. Rugare rwaKristu ngarwutonge mumwoyo menyu. Ndizvo chaizvo zvamakadaidzirwa kuti muve mumuviri mumwechete muchitenda. Shoko raKristu noupfumi hwaro ngarinyatsoti tindindi mamuri muchidzidzisana nokurairana noungwaru muchiimba nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchitenda Mwari mumwoyo menyu. Chiri chose chamunoita, kungave kutaura kana kuita, zviitei muzita raTenzi Jesu, muchitsvitsirwa naye kutenda kwenyu kuna Baba. Madzimai zviisei pasi pavarume venyu sezvazviri izvo zvinokodzerana nomunhu muna Tenzi. Imi varume idai vakadzi venyu musave norushusho kwavari. Imi vana, teererai vabereki venyu muna zvose nokuti ndizvo zvinofadza Tenzi. Vanababa musashatirise vana venyu, vangadaro vakarasa mwoyo. Imi varanda teererai muna zvose vanhu vanenge vari vatenzi venyu pasi pano, kwete zvokubata vanhu kumeso savanhu vokungoda kufadza vanhu. Zviitei nomwoyo mumwechete mutye Tenzi. Chipi nechipi chamunoita chiitei nomwoyo wose sokunge munoshandira Tenzi, kwete vanhu, sezvamunoziva kuti muchagamuchira nhaka somubayiro wenyu, nokuti Tenzi Kristu ndiye wamuri kushandira. Ndinodaro nokuti muiti wezvakaipa achawana mubayiro wake, pasina zvorusaruro. Vanatenzi batai varanda venyu zvino ruenzaniso uye zvakarurama muchizivawo kuti imi muna tenzi kudenga. Rambai muchinamata, mungwarire kunamata muchitenda. Mutinamatirewo kuti Mwari atizarurire musuo weshoko kuti tiparidze zvakavandika zvaKristu. Ndiri muno mujeri pamusana pazvo kuti ndiri tsanangure zviri pachena sezvandinofanira kuti ndiite. Fambidzanai noungwaru navasiri mubato renyu. Pane zvenguva, mototi chawawana batisa. Matauriro enyu ngaave matauriro akanaka kuti muzive kunyatsodavira anenge akubvunzai. Tikikusi achakuzivisai nezvangu zvese. Ihama yapamwoyo, mushandiri akatendeka mushandipamwechete muna Tenzi. Izvozvi ndizvo zvakaita kuti ndimutumire kwamuri kuti imi muzive kuti isu takadii uye kuti, agokukurudzirai Ndamutumira pamwechete naOnesimo hama yakatendeka yapamwoyo, mumwe wenyu. Vachakutaurirai zvose zvakaitika kuno. Muri kukwaziswa naAristakusi, musungwa pamwechete neni uye Mariko munun'una wamakarairirwa nezvake. Kana auya kwamuri mugamuchirei naJesu anonzi Jusutusi ivava ndivo chete vokudzingiswa pakati pavashandipamwe neni muumambo hwaMwari, ndivo vaindinyaradza. Epafurasi, mumwe wenyu, muranda waKristu Jesu, ari kukukwazisai. Anokuyeukai nguva dzose mumunamato kuti muve vanhu vabve zano uye muchinyatsoziva zvose zvinodiwa naMwari. Ini ndinomupupurira kuti akakushandirai zvakaoma imi nevokuRaodhesia nevokuHeraporisi. Ruka, chiremba wapamwoyo naDhemasi vanokukwazisai. Ndikwazisireiwo hama dziri muRaodhesia naNipfa nesangano riri pamusha pake. Kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, ngaiverengwewo musangano rovokuRaodhesia. Imiwo munofanira kuzoverenga yokuRaodhesia. Muti kuna Achipusi, “Unofanira kuita basa rawakagamuchira kuna Tenzi.” Ndini Pauro ndinonyora noruoko rwangu ndichikukwazisai. Yeukai ngetani dzangu. Nyasha ngadzive nemi. Ndini Pauro naSirivhanusi naTimoti tinokunyorerai imi sangano rokuTesaronika muna Mwari Baba naTenzi Jesu Kristu. Nyasha norugare ngazvive nemi. Tinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu mose. Tinogara takakudomai muminamato yedu tichiyeuka pana Mwari naBaba vedu basa renyu rechitenderano, nebasa renyu rorudo uye kutirira kwenyu muchitarisiro chamuinacho muna Tenzi wedu Jesu Kristu. Tinoziva, hama dzangu, imi vadiwa vaMwari kuti Mwari akakusarudzai nokuti Shoko redu Rakanaka rakauya kwamuri, kwete zvepamuromo chete asi nesimba naMweya Mutsvene uye nechivimbo chizere. Imi munoziva kuti takaratidza kuti tiri vanhuyi zvataiva pakati penyu tichizviitira imimi. Imi makatitevedzera mukatevedzerawo Tenzi nokuti makagamuchira shoko irori muri munhamo huru asi makarigamuchira norufaro muchifemerwa naMweya Mutsvene, zvokuti makava muenzaniso kuvatendi vose vokuMasedhonia nokuAkaya. Shoko raTenzi richibva kwamuri harina kungonzwika kuMasedhonia nokuAkaya koga asi chitendero chenyu muna Mwari chakasvika kose kose zvokuti hapana chatingataure. Chiripo ndechokuti ivowo pachavo vanotaura kuti makatigamuchira zvakadii pakati penyu uye kuti makasiya zvokunamata mifananidzo muchipindukira kuna Mwari kuti munamate Mwari mupenyu wechokwadi, uye kumirira kwamunoita Mwanakomana wake kubva kudenga iye waakamutsa kuvakafa, Jesu anotinunura kuhasha dzaMwari dziri kuuya. Hama dzangu imi pachenyu munoziva kuti kukushanyirai kwedu kwakanga kusiri kusina maturo. Kunyange zvedu takambenge tatambudzika uye tanyadziswa kuFiripi, sokuziva kwenyu, takaita chivindi muna Mwari wedu; takakuparidzai Shoko Rakanaka raMwari pakati pavanhu vairwisana zvikuru nezvataiita. Kukukurudzirai kwedu hakubvi mune zvemanomano kana mune zvisina kuchena kana kuda kunyengedza. Asi sokuonekwa kwatakaitwa naMwari kuti takakodzera kuti Shoko Rakanaka riiswe mumaoko medu, naizvozvo tinotaura kwete kuti tifadze vanhu, asi kuti tifadze Mwari anoongorora zvatiri. Sezvamunoziva, hatina kushandisa mazwi okubata vanhu kumeso kana mazwi okufukidza kuda upfumi kwedu. Mwari angatipupurirewo. Hatina kutsvaka mbiri inobva kuvanhu, kungave kwamuri imi kana kunavamwe. Kunyange zvedu taigona, savapositori vaKristu, kunge takakuremedzai nezvokuita, asi taiva vanhu vanyoro pakati penyu saamai vanoyamwisa vari kuchengeta vana vavo. Saizvozvo pamusana pokukudai zvakanyanya kwatinoita, hatina kungoda kuti tigoverane chete zveShoko Rakanaka raMwari, asi kuti tiitewo upenyu hwedu nemi nokuti imi makanga mava vapamwoyo chaivo kwatiri. Hama, imi munoyeuka kushanda nokushingaira kwedu. Takashanda siku nesikati kuti tirege kuwana nomumwe wenyu watinoremedza patainge tichiparidza Shoko Rakanaka raMwari. Imi, pamwechete naMwari, munotova zvapupu zvokuti maitiro edu kwamuri vatendi, takanga tiri vatsvene zvakadii, takarurama zvakadii tisina chatingapomerwe zvakadii. Imi munoziva kuti ini, sababa ana vana vake, ndakakukurudzirai mumwe nomumwe wenyu ndichikunyaradzai nokukukurudzirai kuti mugare upenyu hunokodzerana naMwari anokudaidzirai kuti mupinde muumambo hwake nomumbiri yake. Tinotendawo Mwari nguva dzose pamusoro pezvizvi zvokuti pamakagashira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi sezvariri, seshoko raMwari riri kushanda mamuri imi vatendi. Imi hama, makasanganawo nezvakawira masangano aMwari okuJudhea muna Kristu Jesu nokuti imi makarwadziwawo nezvinhu zvakabva kuvanhu vomunyika menyu sezvavakaitwawo navaJudha. Vakauraya Tenzi Jesu navaporofita uye vakatitandanisa; vanotsamwisa Mwari vachiita zvinorwisana navanhu vose nokutidzivisa kutaura kune vechirudzi kuti vaponeswe. Naizvozvo vanotozadzikisa ukuru hwezvitadzo zvavo. Asi pokupedzisira Mwari avakuvavinga nehasha dzake. Hama, patakamboti paradzaniswei kwechinguva pakuonana kwete mupfungwa, taitodisisa kwazvo tikaita shungu dzokukuonai uso nouso. Taida kuuya kwamuri. Iyeni Pauro ndaida kuuya kakatowanda, asi Satani akatidzivisa. Ko chitarisiro chedu chii norufaro rwedu chii kana chiremba chedu chokudada nacho pamberi paTenzi wedu Jesu paanouya chii? Hamusirimi here, nokuti imi ndimi mbiri yedu norufaro rwedu? Patakanga tisisakwanisi kutirira izvi takasarudza kusiiwa tiri toga kuAteni. Takatumira hama yedu Timoti muranda waMwari nomubatsiri wedu munezve Shoko Rakanaka raKristu kuzokusimbisai muchitendero chenyu uye kuzokukurudzirai. Uku kwakanga kuri kuti pasave nomumwe wenyu anodzokera shure nokuda kwamatambudziko iwaya. Imi pachenyu munoziva kuti iwoyu ndiwo mugove wedu nokuti patanga tinemi, takanga takuudzai kuti, tichazotambudzika sokuitikawo kwazvakazoita, sokuzivawo kwamunoita. Pamusana paizvozvi, pandakanga ndisisakwanisi kutirira, ndakatumira munhu kuti ndizive pamuri nechitendero chenyu ndichityira kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai, basa redu rikashaya maturo. Zvino nokudzoka kwakaita Timoti achibva kwamuri akatiunzira dama rakanaka nezverudaviro rwenyu norudo rwenyu. Akatitaurira kuti imi munogara muchitifunga munezvakanaka nguva dzose uye kuti munokarira kutiona sokusuwirawo kwatinoita kukuonai. Nechikonzero ichochi, hama dzangu, munhamo namatambudziko edu, takanyaradzwa nechitendero chenyu. Zvino tasimbaradzwa upenyu kana mukasimba kudaro muna Tenzi. Mwari tingamutende neiko nezvenyu pamusana perufaro rwose rwatinonzwa pamusoro penyu pamberi paMwari wedu siku nesikati tichibva tanyatsonamatawo kuti tizoonana uso nouso tichizokupai zvimwe zvamusina mukutenda kwenyu. Dai Mwari wedu naBaba vedu pachavo naiye Tenzi wedu Jesu angotitungamirirawo nzira yedu kwamuri. Dai Tenzi vangoita kuti kudana kwenyu kuwande kufashukire uye kusvike kuna vanhu vose sokukudai kwatinoita kuti asimbaradze mwoyo yenyu ive isina chinoshoreka pautsvene uye iri mitsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu pakuuya kwaTenzi wedu Jesu navatsvene vake vose. Pokupedzisira hama dzangu, isu muna Tenzi Jesu tinokukumbirai tichikukurudzirai kuti sokudzidza kwamakaita kwatiri, mugariro wamunofanira kuita, mufadze Mwari, sezvamuri kungoita. Itai saizvozvo zviri zvakatowandisisa. Imi munoziva zvatakakutaurirai musimba raTenzi Jesu. Izvi ndizvo zvinoda Mwari zvokuti imi muve vatsvene musiane noupombwe. Mumwe nomumwe wenyu ngaazive kuchengeta muviri wake muutsvene nomukuuremekedza kwete nehavi dzomuviri dzoruchiva sezvinoita vechirudzi vasingazivi Mwari uye kuti panyaya iyoyi hapafaniri kuva nomunhu anonyengedza kana kukanganisira mumwe wake. Nokuti sezvatakambokuyambirai, Tenzi anotsividza mune zvose izvi, uye nokuti Mwari haana kutidaidzira zvetsvina izvi asi zvoutsvene. Naizvozvo munhu anoramba izvi haasi kuramba vanhu asi ari kuramba Mwari anopa Mweya Mutsvene wake kwamuri. Panyaya yorudo navamwe vanamati, hazvimboda kuti munhu akunyorerei, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kudana. Ichokwadi kuti munoda vehama vose vari muMasedhonia yose asi chatinokukurudzirai, hama, kuita izvozvo zvakatowanda kwazvo uye kuvavarira kugara upenyu hwenyu chinyararire, muzive zvenyu, muchizvishandira namaoko enyu sokukuudzai kwatakaita kuti vokunze vakuremekedzei murege kupona nokubatsirwa navo. Hama hatidi kuti munge musingazivi nezvavakafa kuti murege kusuwa sezvinoita vamwe vasina chitarisiro. Sezvatinotenda kuti Jesu akafa akamukazve saizvozvowo, nokuna Jesu, Mwari achadzosa pamwe naye vakafa. Izvi tinokutaurirai zviri pachena, iro ririwo shoko raTenzi kuti isu vapenyu, takasara kusvikira kuuya kwaTenzi, hatitangiri vaya varere nokutiwo Tenzi pachake achaburuka achibva kudenga pachidaidzirwa. Pachanzwika izwi romutumwa mukuru uye pacharira hwamanda yaMwari. Vakafa muna Kristu ndivo vachatanga kumuka. Zvino isu vapenyu takasara tichatorwa pamwechete navo tichiendeswa kumakore kundosangana naTenzi mumhepo. Naizvozvo ticharamba tiina Tenzi. Naizvozvo potai muchinyaradzana namashoko iwaya. Hama dzangu, kana zviri zvemisi nenguva hazvina chazvinokubatsirai kukunyorerai nezvazvo nokuti imi pachenyu munonyasozviziva kuti zuva raTenzi richauya sembavha usiku. Vanhu pavanenge voti kune rugare uye hakuna chinotiwana, pakare pakarepo ndipo pavanobva vavingwa nokuparadzwa sokuuya kunoita kurwadziwa pamukadzi ana pamuviri. Hapana zvokupukunyuka. Asi imi hamusi murima hama dzangu, kuti zuva iroro riyerekane rakunyangirai sembavha. Chikonzero chacho ndechokuti imi mose muri vana vechiedza uye muri vana vamasikati. Hatisi vanhu vousiku kana verima. Naizvozvo ngatiregei kukotsira sezvinoita vamwe. Asi ngatirambei takasvinura, pfungwa dzedu dziri pamwechete Vanokotsira, vanokotsira usiku. Vanoraradzawo vanoraradza usiku. Zvino isu zvatiri vamasikati, ngatichengetedzei hunhu hwedu tipfeke demautare rechitendero norudo uye nguwani iri chitarisiro choruponeso. Mwari haana kutisikira kuti azotipa nhamo asi kuti tiwane ruponeso nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatifira kuti kunyange tichiri kubwaira kudai kana kuti tatsinzinya tigare naye. Nezvo kurudziranai muchiumbana sezvamuri kungoita iye zvino. Hama dzangu, tinokukumbirisai kuti muremekedze vanoshanda pakati penyu vanokurairai uye vari ivo vakuru vari pamusoro penyu zvichibva muna Tenzi vanokurairai. Vakudzei kwazvo muine rudo navo pamusana pebasa ravo. Imi garisanai zvakanaka. Tinokukurudziraizve, hama, kuti rayirai nyope muchimutsa mwoyo yavakaneta. Batsirai vasina simba. Itai mwoyo murefu navo vose. Onai kuti hapana anodzorera chakaipa nechakaipa, asi rambai muchingoedza kuitirana zvakanaka uye muitirewo vamwe vose zvakanaka. Farai nguva dzose. Namatai nguva dzose uye muna zvose rambai muchingotenda nokuti uku ndiko kuda kwaMwari muna Kristu Jesu. Musadzimure Mweya Mutsvene. Musashore chiporofita, asi munofanira kuongorora chokwadi chezvinhu zvose. Zvinenge zvakanaka zvibatisisei. Siyanai nouipi hupi nohupi zvahwo. Iye Mwari worugare pachake ngaakuitei vatsvene muna zvose zvamuri akuchengetei zvakanaka mutumbi wose unoti, mweya nemwoyo nomuviri zvisina chinoshoreka pazviri pakuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Iye anokudaidzai, akatendeka uye achazviita. Hama tinamatireiwo. Kwazisanai savanhu vemhuri nokutsvodana kutsvene. Ndinokukomeresai muzita raTenzi kuti tsamba iyi inofanira kuverengerwa vehama vose. Tenzi Jesu Kristu ngaakupei chikomborero chenyasha dzake. Ndini Pauro naSirivhanusi naTimoti tinokunyorerai imi sangano rokuTesaronika muna Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu. Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Tenzi Jesu Kristu. Tinosungirwa kutenda Mwari nguva dzose pamusana penyu, hama dzangu, sechinhu chinokodzera kuitwa nokuti chitendero chenyu chiri kuramba chichingokura kwazvo uye kudanana kwenyu kuri kukura. Naizvozvo isu pachedu tinodada nemi mumasangano aMwari nokuda kwokutsungirira kwenyu pakutenda mukutambudzwa kwenyu kose nenhamo dzamunotakurana nadzo. Zvose izvozvi zvinoratidza kugona kutonga kwaMwari kuti imi munokodzera kupinda muumambo hwaMwari hwamuri kutamburira uyewo nokuti Mwari anozviona chiri chinhu chinokodzera kutsividza nenhamo avo vanokutambudzai. Achakupai zororo pamwechete nesu imi muri kuoneswa nhamo kana Tenzi Jesu oratidzwa achibva kudenga navatumwa vake vane simba mumoto unonganduma. Achatsividza avo vasingazivi Mwari navavo vasingateereri Shoko Rakanaka raTenzi wedu Jesu. Vachatambura neshamhu yokuparadzwa zvisina mugumo uye vachabviswa pana Tenzi nekumbiri yesimba rake paanouya musi iwoyo kuzorumbidzwa muvatsvene vake uye kuzoyemurwa pamusana pavavo vakatenda kwaari nokuti makagamuchira kupupura kwedu. Pamusana paizvozvi tinonamata nguva dzose kuti Mwari wedu aite kuti imi muve vanhu vakakodzera kukudaidzai kwaakaita uye kuti aite kuti zvakanaka zvamunoda kuita zvechitendero zvibudirire nesimba rake, izvi kuri kuitira kuti zita raTenzi wedu Jesu rirumbidzwe mamuri imiwo murumbidzwe maari maererano nenyasha dzaMwari wedu nedzaTenzi Jesu Kristu. Panyaya yezvokuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu nezvekuungana kwatichaita tichimuchingura, tinokukumbirai hama kuti musabva mapengereka nazvo kana kuita manyawi nazvo zvichibva kumweya kana kushoko kana kutsamba zvinoita sezviri kubva kwatiri zvichiti zuva raTenzi rasvika. Ngaparege kuva nomunhu anokunyengedzai nenzira ipi zvayo nokuti zuva iroro harisikuzouya kupanduka kusati kwatanga kuuya uye munhu asina mutemo uya akatemerwa kuraswa atoratidzwa pachena, uya anozvikudza achirwisana nechose chinonzi mwari kana chipi zvacho chinonamatwa atoita chigaro chake mutemberi yaMwari. Hamurangariri here kuti pandakanga ndichinemi ndakakutaurirai izvi. Asi imi munoziva kuti pane chimwe chiri kurambidza kuti izvi zviitike zvino kuti aratidzwe panguva yake nokuti chakavanzika chiya chisina mutemo chavakutoshanda asi uyo arikumbodzivirira — dzivirira achamboita kusvikira abviswa. Ipapo asina mutemo uya achaburitswa pachena. Tenzi Jesu achamuuraya nezwi rimwechete romuromo wake achimuparadza nokuzviratidza kwake uye nokuuya kwake. Kuuya kouya asina mutemo kunoonekwa nomubasa raSatani anoshandisa simba nezviratidzo nezvishamiso zvokunyepera nouipi hwose hokunyengedza varikundoparadzwa nokuti vanoramba kuda chokwadi uye vanoramba kuponeswa. Naizvozvo Mwari anovatumira zvinovabata kumeso kuti vatende zvenhema kuti vose vapihwe mhosva vasina kutenda chokwadi vachifarira zvisina kururama. Isu tinosungirwa kutenda Mwari pamusana penyu, hama dzangu vadiwa vaTenzi nokuti Mwari akakusarudzai kubvira pakutanga kuti muponeswe nokuitwa vatsvene naMweya nokutenda muchokwadi. Izvi ndizvo zvaakakudaidzirai nokuparidza kwedu Shoko Rakanaka kuti muwane mbiri yaTenzi wedu Jesu Kristu. Naizvozvo hama dzangu mirai makasimba makabatisisa magamuchidzanwa amakadzidziswa nesu nomuromo kana kuti netsamba. Zvino Tenzi wedu Jesu Kristu pachake naMwari Baba vedu vakatida vakatipa kunyaradzwa kusina mugumo nechitarisiro chakanaka nenyasha ngaakunyaradzei mwoyo yenyu aisimbise mumashoko nomumabasa ose akanaka. Pokupedzisira hama dzangu, tinamatireiwo kuti shoko raTenzi rirambe richingomhanya kuenda mberi uye kuti rikunde sezvarakaita pakati penyu uye kuti tinunurwe kuvanhu vakaipa vanyangadzi. Havasi vose vose vane chitendero, asi Tenzi akatendeka achakudzivirirai kumuipi. Isu tine chivimbo muna Tenzi kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatakati muite. Dai Tenzi angotungamirira mwoyo yenyu kurudo rwaMwari uye kuno kutirira kwaKristu. Zvino tinokuudzai hama muzita raTenzi Jesu Kristu kuti siyanai nehama inenge iri nyope isingatevedzi magamuchidzanwa amakagamuchira kwatiri. Imi munoziva wani kuti munofanira kutitevedzera zvakadii. Isu takanga tisingagari maoko patanga tiinemi. Hatina kudya chokudya chomunhu mahara, asi taishanda zvakaoma tichifondoka siku nesikati kuti tirege kuwana watinoremedza. Hazvirevi kuti isu hatina mvumo yokubatsirwa nemi asi kuti tikupei muenzaniso wokuti mutevedzere. Kunyange pataiva tiinemi takakuudzai kuti kana munhu asingadi kushanda ngaarege kudya. Nokuti tinonzwa kuti vamwe venyu vari kugara zvavo maoko; basa ravo riri rokunekaira chete pasina chavanoita. Zvino tinokomera vanhu vakadaro tichivakurudzira muna Tenzi Jesu Kristu kuti vaite basa ravo chinyararire vachizviwanira zvokurarama nazvo. Hama dzangu musanete mukuita zvakanaka. Kana pane anoramba kuteerera zvatiri kutaura mutsamba ino nyatsomuzivai murege kuva nechii chamunoita naye kuti anyare. Musamutore semhandu asi muyambirei sehama. Zvino Tenzi worugare pachake ngaakupei rugare nguva dzose nenzira dzakasiyana — siyana. Tenzi ngaave nemi mose. Ndini Pauro ndiri kunyora kwaziso iyi noruoko rwangu. Aya ndiwo masainiro andinoita tsamba dzangu dzose ndiwo manyorero andinoita. Tenzi Jesu Kristu ngaakupei mose chikomborero chenyasha dzake. Ndini Pauro mupositori waKristu Jesu sokutemwa kwazvakaitwa naMwari mununuri wedu uye naKristu Jesu, tariro yedu, ndinokunyorera iwe Timoti mwana wangu chaiye muchitendero. Dai Mwari Baba naKristu Jesu Tenzi wedu akukomborera nenyasha nengoni norugare. Sokukukurudzira kwandakaita pandakanga ndichienda kuMasedhonia, ramba uri kuEfeso kuti uudze vamwe vanhu kuti varege kukudzidzisa zvidzidziso zvisina akambodzidzisa; kana kudzidzisa ngano dzisina kwadzo nemirongorongo yamazita amadzitateguru nehurukuro dzisina kwadzinosvitsa panze pezvinangwa zvaMwari zviri muchitendero. Asi icho chinangwa chebasa redu ndecherudo runobva mumwoyo wakanaka nehana yakachena nechitendero chisina unyengedzi. Vamwe vanhu vakazotetereka pamusana pokutsauka pazviri vopinda muhurukuro dzisina maturo vachida kuva vadzidzisi voMutemo asi vasinganzwisi zvavanotaura kana kuziva zvinhu zvacho zvavanenge vachitaura nezvazvo. Zvino chatinoziva ndechokuti mutemo wakanaka kana ukausevenzesa zviri pamutemo. Asi chatinozivawo ndechokuti mutemo hauisirwi vakarurama asi unoisirwa vanhu vasina mutemo nenhubu navasina Mwari navatadzi, navasinei naMwari navanhu vasina matyira nezvinhu zvinoera nemhondi dzinouraya madzibaba nemhondi dzinouraya amai navanouraya vanhu navanoita upombwe uyewo ngochani namatasvuramwoyo navarevi venhema navanopika zvenhema navanoita zvinopesana nechidzidziso chechokwadi maererano neShoko Rakanaka rembiri raMwari wamakomborero rakaiswa mumaoko mangu. Ndinotenda Kristu Jesu Tenzi wedu akandipa simba rokuita izvi. Kundisarudza kwaakaita mubasa rake kuona kwaakaita kutendeka kwangu. Kunyange pakutanga ndakambomushonha ndikamutambudza ndikamutuka asi ndakaitirwa tsitsi nokuti ndakazviita mukusaziva nomukusatenda. Nyasha dzaTenzi dzakawodzvorerwa pandiri nokutenda norudo rwatinarwo muna Kristu Jesu. Ishoko rinotendeseka uye rinokodzera kunyatsogamuchirwa rokuti Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi. Ini ndini mutadzi mukuru wacho. Asi ndakaitirwa tsitsi kuti mandiri somukuru mukuru wacho, Jesu Kristu aonese mwoyo murefu wake wakazara somuenzaniso kuna vakanga vachizodavira maari kuitira upenyu husingaperi. Kukudzwa uye mbiri ngazvipiwe kuna Mambo wapasichigare narini narini kuna iye asingafi asingaoneki, anongova ndiye Mwari oga. Ameni. Zvakatemwa izvi ndinozviturira mumaoko mako itwe Timoti, mwanangu, maererano nezvakaporofitwa zvakanga zvakananga iwe, kuti unyatsorwisa uchifemerwa naizvozvo, urambe wakabatisisa chitendero uye uine hana yakachena. Vamwe vanhu vakaramba kuteerera hana dzavo vakaparadza chitendero chavo. Vamwe vavo ndavana Humenaosi naArekizanda vandakaturira kuna Satani kuti vadzidze kusashonha Mwari. Nokudaro pokutanga ndinokurudzira kuti mikumbiro neminamato nezvichemo nokutenda zviitirwe vanhu vose vanoti: madzimambo navose vari pazvinzvimbo zvapamusoro kuti tigare upenyu hune runyararo norugare, upenyu huna Mwari mukati uye hunoremekedzwa mativi ose. Izvi zvakanaka uye zvinogamuchirika pamberi paMwari noMununuri wedu anoda kuti munhu wose aponeswe uye kuti azive chokwadi. Nokuti kuna Mwari mumwechete uye kuno munhu mumwechete anobatanidza isu vanhu naMwari, munhu iyeyo ndiJesu Kristu. Akazvipira kuti ave chokutinunura nacho tose. Izvi zvakazopupurirwawo panguva yazvo. Izvozvi ndizvo zvandakasarudzirwa kuti ndive muparidzi nomupositori nomudzidzisi wevechirudzi muchitendero nomuchokwadi. Ndiri kutaura chokwadi handisi kureva nhema. Munzvimbo dzose ndinoda kuti varume vanamate vakasimudza maoko matsvene vasina hasha kana gakava uye kuti vakadzi vazvishongedze zvine mwero zvino hunhu vaine hanzu dzine chimiro vasingagadziri vhudzi ravo zvokunanisira kana kurishongedza nendarama kana namatombo anokosha amapera kana hanzu dzinodhura asi zvishongo zvavo ngazvive mabasa akanaka sezvinokodzerana navakadzi vanotya Mwari. Mukadzi ngaadzidze chinyararire nokuzvidukupisa kose. Handibvumiri mukadzi kudzidzisa kana kuva nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara nokuti Adhamu ndiye akatanga kusikwa ndokuzouya Evha. Adhamu haasiriye akafurirwa asi mukadzi ndiye akafurirwa akava mutadzi. Mukadzi anonunurwa zvake nokubereka vana kana akaramba ari muchetendero uye aine rudo noururami. Shoko iri nderechokwadi rinoti kana munhu akavavarira kuva mubhishopi ari kuda basa rakakosha kwazvo. Mubhishopi haafaniri kuva nechaanoshorwa nacho. Anofanira kuva murume womukadzi mumwechete asiri muraradzi, munhu anonzwisisa ane chiremera anoziva kugamuchira vaenzi uye mudzidzisi kwaye; asi chidhakwa chomunhu kana munhu anoda zvokurwa asiri munhu ane mwoyo munyoro kwete munhu wenharo kana anokarira mari. Anofanira kuva munhu anofambisa mhuri yake zvakanaka ana vana vanoteerera, ano rukudzo muna zvose. Zviripo ndezvokuti kana munhu asingazivi kufambisa mhuri yake, angachengete sei sangano raMwari. Haafaniri kuva mutendi mutsva nokuti angadaro akazvitutumadza nokuzvikudza achizowana chirango chaDhiabhori. Uyewo anofanira kuva nezita rakanaka kune vokunze angadaro akafumurwa akapinda muriva raDhiabhori. Ndizvo zvimwechetezvo navaDhikoni, vanofanira kuva vanhu vakadzikama kwete tsukukuviri dzavanhu kana zviradza zvewaini kana vanhu vanokarira upfumi. Vanosungirwa kuchengetedza zvakavandika zvechitendero nehana yakachena uye ngavatange vaongororwawo. Kana vabudirira kuti havana chinoshoreka vangapinde zvavo mubasa roudhikoni. Vakadziwo ngavave vakatsiga vasina makuhwa vasiri zvidhakwa, vakatendeka muna zvose. Madhikoni anofanira kuva murume womukadzi mumwechete uye vanhu vanochengeta vana vavo nemhuri dzavo zvakanaka. Avo vanoita basa ravo zvakanaka samadhikoni vanozviwanira zita rakanaka uye chivimbo chikuru muchitendero chavo muna Kristu Jesu. Ndiri kukunyorera tsamba iyi ndichitarisira kuuya kwauri nokukurumidza. Asi kana ndikanonotswa, iwe unenge waziva kuti munhu anofanira kuzvibata sei mumhuri yaMwari, iro sangano raMwari mupenyu, musimboti nehwaro hwaicho chokwadi. Tinopupura kuti zvakavandika zvechitendero chedu zvikuru kwazvo zvokuti: akaonekwa akaratidzwa pachena aine muviri akapembedzwa naMweya akaonekwa navatumwa akaparidzwa kumarudzi akatendwa pasi pose akazokwira kudenga aine mbiri. Mweya Mutsvene anotaura pachena kuti pamazuva okupedzisira vamwe vachakanda pasi chitendero pamusana pokuteerera mweya inonyengedza nezvidzidziso zvemweya yakaipa zvinodzidziswa navarevi venhema vanobata vanhu kumeso vane hana dzakadhindwa nomuchiso vanoti vanhu ngavarege kuroorana varege kudya zvimwe zvokudya zvakasikwa naMwari zvinofanira kugamuchirwa nokutenda navanhu vanodavira vachiziva chokwadi. Chikonzero ndechokuti chinhu chose chakasikwa naMwari, chakanaka uye hapana chinofanira kurambwa asi ngachigamuchirwewo nokutendwa pakadaro chinenge chatoyereswa neShoko raMwari nomunamato. Izvi ukazvidzidzisa vehama unenge wava mushandi wakanaka waKristu Jesu akapiwa chokudya chamazwi echitendero norudzidziso rwakanaka rwawakatevera. Siyana nengano dzisina Mwari uye dzisina musoro. Zvidzidzise kuita zvina Mwari mukati. Kuzviswatudza muviri kune basawo asi kuzviswatudza kune zvaMwari kunobatsira nenzira dzose nokuti kunotsidzira mubayiro paupenyu hwapasi pano noupenyu hwokudenga. Iyi itsumo yakanaka uye inonyatsogamuchirika. Izvozvi ndizvo zvatinobindukira tichishingairira nokuti chitarisiro chedu chiri muna Mwari mupenyu, mununuri wavanhu vose zvikuru avo vanotenda. Unofanira kutaura uchidzidzisa zvinhu izvi. Ngaparege kuva nomunhu anokushora pamusana pokuti uri muduku asi iwe iva muenzaniso wakanaka kuna vatendi mukutaura nomuzviito nomurudo nomuchitendero nomuutsvene. Kusvikira ndauya, verengera vanhu Magwaro Matsvene uchiparidza uye uchidzidzisa. Usarege kuita hanya nechipo chaunacho chawakapiwa nezwi rechiporofita, dare ravakuru vakuru vesangano pavakaisa maoko avo pauri. Ita zvinhu izvi uzvipire mazviri kuti vose vaone kubudirira kwako. Zvichenjerere iwe pachako uchichenjererawo zvaunodzidzisa. Zvibatisise izvozvo nokuti nokuita izvozvo unozviponesa iwe pachako navanokunzwa. Usatsiure munhu mukuru zvehasha asi nyatsotaura naye sababa, varume vadiki vabate savanun'una vako, vakadzi vakuru savanamai vako navakadzi vechidiki sehanzvadzi dzako pasina kana zvokumbotsaudzira mune zvoutsvene. Remekedza chirikadzi, dzinenge dziri chirikadzi chechokwadi. Kana chirikadzi iina vana kana vazukuru ngavatange vadzidza basa ravo savanamati ravanofanira kuita kumhuri yavo vawane zvavanodzorerawo kuvabereki vavo nokuti izvi ndizvo zvinofadza Mwari. Chirikadzi chaiyo yakasiiwa ichingova yoga yoga, inotarisira kuna Mwari, inoramba ichingokumbira ichinamata siku nesikati. Asi chirikadzi inoda zvokuzvifadza, ichirikadzi yakatofa iyo ichiri mhenyu. Dzidzisa zvinhu izvozvi kuti dzirege kuwana chadzinoshorwa nacho. Kana munhu asingachengeti hama dzake, zvikuru vemhuri yokwake, munhu akadaro atorasa chitendero chake uye akatoipa kupinda asingatendi. Kana chirikadzi isati yasvitsa makore makumi matanhatu ngairege kunyoreswa zita uye inofanira kunge iri chirikadzi yakangoroorwa kamwechete. Anofanira kuva munhu anopupurirwa pamusoro pamabasa ake akanaka nokurera kwaakaita vana vake anogamuchira vaenzi zvakanaka uye anoshambidza tsoka dzavatsvene achiyamura vatamburi uye ari mudzimai anofarira kuita zvakanaka nenzira dzose. Asi ramba kunyoresa chirikadzi dzechidiki nokuti kana dzotadziswa kushandira Kristu nechikonzero chehavi dzadzo, dzinoda kuroorwa. Saizvozvo dzobva dzazvipisa mhosva pamusana pokutyora chitsidzo chadzo chokutanga. Pamusoro paizvozvo dzinodzidza kuva tsimbe dzinotevedza nedzimba, dzisiri nyope chete asi kuti vanhu vamakuhwa vanongwarira zvamashiripiti vachitaura zvavasingafaniri kutaura. Nezvo ini ndinoti chirikadzi dzechidiki ngadziroorwe dzibereke vana dzichengetedze mhuri dzadzo dziregewo kupa muvengi mukana wokutaura zvakaipa nezvedu. Vamwe vavo vakatotetereka vachitevera Satani. Kana mukadzi mutendi ane hama chirikadzi ngaadzibatsire kuti zvirege kuremedza sangano kuti ribatsire chirikadzi chaidzo. Vakuru vakuru vanotungamirira sangano zvakanaka ngavaremekedzwe zvakapetwa kaviri zvikuru avo vanoita basa rokuparidza nerokudzidzisa nokuti Magwaro anoti, “Usaise mombe matomu painenge ichipura mbeswa,” uye kuti, “Mushandi anofanira kuwana mubayiro wake.” Usagamuchire kuti mumwe wavakuru vakuru ane mhosva kusatoti pane umboo hwezvapupu zviviri kana zvitatu. Asi kune avo vanorambirira vari muchitadzo vatsiure pamberi pavose kuti vamwe vose vatye. Pamberi paMwari uye pamberi paKristu Jesu napamberi penhumwa dzakasarudzwa, ndinokukomeresa kuti uchengete mitemo iyoyi usina kwaunorerekera kana rusaruro. Usamhanyirire kuisa maoko okugadza munhu kana kudziya moto wembavha muchitadzo chomumwe uye chengetedza utsvene hwako. Chirega kuramba uchingonwa mvura chete asi inwa waini shoma kuitira mudumbu mako uye nokurwara rwara kwaunoita. Zvitadzo zvavamwe vanhu zvinooneka pachena zvinofanotaura kuti munhu uyu anotongwa achinzii asi zvitadzo zvavamwe zvinozobuda pachena gare gare. Ndizvozvowo zvina mabasa akanaka mamwe anoonekwa pachena uye kunyange aya asingaoneki pachena haagoni kuramba akangovanzika. Vose vari mujoko rouranda vanofanira kuziva kuti vatenzi vavo vanofanira kupiwa rukudzo rwose kuti zita raMwari uye chidzidziso ichochi chirege kushorwa. Avo vana vatenzi vanotenda havafaniri kusaremekedzwa pamusana pokuti vave hama nehama navo asi vavakutofanira kuvashandira zviri nani nokuti ivo vanobatsirwa nezvavanoshanda vatendi uye vadikanwi. Izvi unofanira kuzvidzidzisa vanhu nokuvakurudzira kuita. Kana munhu akadzidzisa zvimwewo asingawirirani namashoko ezvirokwazvo aTenzi wedu Jesu Kristu nechidzidziso chinowirirana nezvaMwari anozvitutumadza nokuzvikudza, munhu asina zvaanoziva. Munhu ana kamwoyo kokuda gakava nenharo dzezvamazwi anokonzera shanje nokusawirirana namakuhwa nokufungirana kusina kana namaturo ose nokukakavadzana pakati pavanhu vasina musoro vasina chokwadi vanofunga kuti kuitira Mwari basa chinhu chokuzvipfumisa nacho. Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana. Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa nokuti kudisisa mari ndiwo mudzi wouipi hwose. Pamusana pokukara mari ikoko vamwe vakazosiya chitendero zvikazovarwadza mumwoyo zvikuru. Asi iwe munhu waMwari siyana nezvinhu izvi. Vavarira ururami, kuzvipira kuna Mwari nechitendero norudo nokuva nemwoyo mumwechete nounyoro. Rwira chitendero zvakanaka uve noupenyu husingaperi hwawakadanirwa pawakapupura zvakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. Pamberi paMwari anopa upenyu kuzvinhu zvose uye pamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paumboo hwake pamberi paPontio Pirato, ndinokukomeresa kuti uchengete mutemo usina kusvibiswa uye pasina chaunopomerwa kusvikira kuzviratidza kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Izvi zvichazoratidzwa panguva yakakodzera naiye wamakomborero, Mambo wamadzimambo naTenzi wavatenzi iye oga chirambakusakara; asingafi anogara muchiedza chisingasvikiki; asina kumboonekwa nomunhu uye asingagoni kuonekwa. Iye ngaarumbidzwe noutongi husingaperi. Ameni. Vapfumi vapasi pano, vataurire kuti varege kuzvitutumadza kana kuvimba noupfumi husina paho. Asi ngavavimbe naMwari anotifashurira zvose zvinotifadza. Vanofanira kuita zvakanaka vavevo vapfumi mumabasa akanaka vanopa vachida vavewo vanamupanegombe vasingapi vachikonyodza. Saizvozvo vachazvivakira ugaro hwakanaka hweramangwana ravo vachizozviwanira upenyu ihwohwo hwezvirokwazvo. Iwe Timoti chengetedza zvakaiswa mumaoko mako kuti uchengete. Siyana nokutaura kusinei naMwari zvinopesana nezvinenge zvichinzi ichokwadi izvo zvisiri chokwadi. Vamwe vakatevera izvozvo vakarasika gwara rechitendero. Chikomborero chenyasha ngachive nemi. Ndini Pauro mupositori waJesu Kristu nokuda kwaMwari maererano nechitsidzo choupenyu huri muna Kristu Jesu ndinokunyorera iwe Timoti mwana wangu wapamwoyo ndichiti: Dai Mwari angokupa chikomborero chenyasha nengoni norugare zvichibva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Tenzi wedu. Ndinotenda Mwari wandinoshandira nemwoyo wakachena sezvakaitwa namadzibaba angu pandinokuyeuka nguva dzose muminamato yangu. Pandinoyeuka misodzi yako ndinosuwira siku nesikati kukuona kuti ndizadzwe norufaro. Ndinoyeuka chitendero chako chiri pachokwadi, chitendero chakatanga muna ambuya vako Roisi naamai vako Yunisi chandine chokwadi kuti chavawo mauri. Naizvozvo ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzirezve chipo chaMwari chiri mauri chawakawana nokukuisa maoko pamusoro kwandakuita nokuti Mwari haana kutipa mweya woumbwende asi mweya wesimba norudo nowokuzvibata. Saizvozvo usanyare kupupurira Tenzi wedu kana kundipupurirawo ini musungwa wake, nesimba raunopiwa naMwari. Chikonzero chiri chokuti utambudzikewo pamwechete neni pamusana peShoko Rakanaka raiye akatinunura akatidaidza nokudaidza kunoera, kwete nokuda kwamabasa edu asi pamusana pezvirongwa zvake uye pamusana penyasha dzake dzaakatipa muna Kristu Jesu karekareko. Asi iye zvino akaratidzwa pachena nokuzvionesa kwomununuri wedu Kristu Jesu akaparadza rufu akaunza upenyu ndokuratidza pachena, nokuShoko Rakanaka, upenyu nokusafa. Ndakasarudzwa kuva muparidzi nomupositori nomudzidzisi weShoko Rakanaka iroro, nokuda kwaizvozvi ndinotambudzika kudai, asi handinyari nokuti ndinoziva wandakatenda maari uye ndine chokwadi chokuti anokwanisa kuchengetedza zvakaiswa mumaoko mangu kusvikira Zuva iroro. Nyatsochengetedza mashoko ezviro kwazvo awakanzwa kwandiri somuenzaniso waunofanira kutevera uri muchitendero norudo zvinowanikwa muna Kristu Jesu. Chengetedza chokwadi chakaiswa mumaoko ako naMweya Mutsvene anogara matiri. Iwe unoziva kuti vose vari muAsia vakandisiya. Vamwe vavo ndavana Figerasi naHerimoganesi. Dai Mwari angoitira veimba yaOnesiforusi tsitsi nokuti akandinyaradza kazhinji. Hazvaimbomunyadzisa kuti ini ndaiva muusungwa. Zvokuti paakasvika kuRoma akanditsvaka nemeso matsvuku akandiwana. Dai Tenzi angomuitira tsiye nyoro dzinobva kuna iye Tenzi Pazuva Iroro. Iwe unonyatsoziva basa rose raakaita kuEfesusi. Naizvozvo iwe mwanangu chisimba uchibatsirwa nenyasha dzatinowana muna Kristu Jesu. Zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, zviturire kuvanhu vakatendeka vanokwanisa kudzidzisawo vamwe. Tirira chikamu chako chamatambudziko zvakanaka somurwi waKristu Jesu. Hakuna musoja achiri pabasa anozvipinza mumabasa amazuva ose kana achida kugutsa akamunyora pabasa. Hakunawo munhu wamapitse omutambo anopiwa chiremba kusatoti achengeta mitemo yacho. Murimi anoshanda zvakasimba ndiye anofanira kuwana mukoho wokutanga wembeswa. Rangarira zvandinotaura nokuti Tenzi achakupa kunzwisisa muna zvose. Yeuka Jesu Kristu akamuka muvafi, wedzinza raDhavhidhi sokuparidzwa kwazvinoitwa muShoko rangu Rakanaka randiri kutambudzikira ndakasungwa makechemi somunhu anotyora mitemo yenyika. Asi Shoko Rakanaka harisungwi. Naizvozvo ndinotirira zvose pamusana pavasarudzwi kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu nembiri yarwo inogara narini narini. Izvi ndezvechokwadi zvokuti “Kana takafa pamwechete naKristu tichararama pamwechete naye. Kana tikatirira tichatonga pamwe naye kana tikamuramba iye achatirambawo. Kana tikasatendeka iye anoramba akatendeka nokuti haagoni kuva zvaasiri.” Vayeuchidze izvi uvakomerese pamberi paTenzi kuti varege kuitirana nharo nezvamazwi zvisingavabatsiri asi zvinotouraya vanenge vakateerera. Edza napose paunogona kuva munhu anogamuchirika pana Mwari, mushandi asina chaanganyare nacho anoziva kushanda namagwaro matsvene echokwadi zvakanaka. Siyana nehurukuro dzisina zvoumwari mukati nokuti zvinoramba zvongotungamirira vanhu mune zvisina umwari. Hurukuro dzavo dzinonyenga seronda risingapori. Vamwe vavo ndavana Himenayosi naFiretusi vakatsauka pachokwadi, vanoti zvokumuka kuvafi zvakatoitika. Vari kudzongodza chitendero chavamwe. Asi hwaro hwaMwari hwakasimba hunoramba huripo hwakanyorwa kuti, “Tenzi anoziva avo,” uye kuti, “Munhu wose anodaidza zita raTenzi, ngaasiyane nouipi.” Muzimba hombe hamuna midziyo yendarama neyesirivha chete asi mune yemiti neyevhu. Mimwe ndeyamazuva makuru, imwewo ndeyamazuva ose. Munhu akazvichenura kune zvinoshoreka anobva ava mudziyo wakakosha wamazuva makuru achiva mudziyo wakayereswa une basa, kumuridzi wemba, wakagarira basa ripi neripi rakanaka. Naizvozvo siyana nehavi dzevechiduku unangane noururami nechitendero norudo norugare pamwechete navanodaidza kuna Tenzi nemwoyo wakanaka. Siyana nenharo dzoupenzi dzisina musoro. Iwe unoziva kuti dzinomutsa gakava. Muranda waTenzi haafaniri kuva munhu wenharo asi kuva nomutsa kuvanhu vose ari mudzidzisi kwaye ano mwoyo murefu, anodzora vanorwisana naye nounyoro. Zvichida Mwari anovasvitsa pakutendeuka vakasvika pakuziva chokwadi vachigona kutopunyuka riva raDhiabhori ivo vambobatwa naye kuti vaite zvaanoda. Nzwisisa izvi zvokuti kumazuva okupedzisira kuchauya nguva yenhamo nokuti vanhu vachava vanhu vanozvida vanokara mari, vanozvikudza, vanozvitutumadza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina hanya naMwari vasingamboona kuti munhu chii, vasingagoni kuyanana navamwe, vana makuhwa, madzenga avanhu, namagandanga zvawo, vavengi vezvinhu zvakanaka navanhu vasingavimbiki, vanhu vasingabatiki pavo, vanozvitutumadza, vanoda mafaro kupinda Mwari vanechitendero chechipameso ivo vachiramba simba racho. Siyana navanhu vakadaro. Pakati pavo ndipo pana vamwe vanopinda mudzimba dzavanhu vachikachikira vakadzi vakaneta neta uye vakaremerwa nezvitadzo, vanopeperetswa nezvinhu zvose, zvose vanotevera munhu wose wose vasingagoni kusvika pakunzwisisa chokwadi. Sezvakaita Janesi naJamburesi vakapikisa Mosesi, saizvozvo vanhu ava vanopesanawo nechokwadi. Vane pfungwa dzakaora. Vanhu vakakundika muchitendero chavo. Asi hapana kwavanosvika nokuti munhu wose achaziva upenzi hwavo sezvakangoitika kuna varume vaviri ava. Asi iwe wakanyatsoongorora zvandinodzidzisa, nomugariro wangu, nechinangwa changu muupenyu nechitendero changu nomwoyo murefu wangu norudo rwangu uye kuramba ndakatsungirira kwangu nokutambudzwa kwangu uye nhamo dzangu nezvakandiwira kuAntioku nokuIkoniyo nokuRisitira nokutambudzwa kwandakatirira, asi Tenzi akandinunura kune zvose izvozvi. Vose vanoda upenyu hwokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa asi vanhu vakaipa navanobata vanhu kumeso vanoramba vachinyanya kutadza vachinyengedza vamwe ivowo vachinyengedzwa. Asi iwe ramba uri munezvawakadzidza uye zvawadavira nemwoyo wose uchiziva kuti wakazvidzidza kuna vanaani. Unofanira kuziva kuti waiziva kubvira pauduku hwako Magwaro Matsvene anokwanisa kukudzidzisa kuti uponeswe nechitendero chako muna Kristu Jesu. Magwaro Matsvene ose akafemerwa naMwari uye ane basa pakudzidzisa napakutsiura napakugadziridza munhu uye pakudzidzisa kuita zvakanaka kuti munhu waMwari ave akakwana akagadzirira basa ripi neripi rakanaka. Ndinokukomeresa pamberi paMwari uye pamberi paKristu Jesu achazotonga vapenyu navakafa, pamberi paiye achazozviratidza muumambo hwake. Paridza shoko. Ramba uchingoriparidza panguva yarinofanira kuparidzwa kana panguva isiri yokuriparidza. Vataurire vazvinzwe; tsiura; uye vakurudzire. Usanete kuva nomwoyo murefu uye usanete kudzidzisa. Nokuti nguva iri kuuya vanhu pavanenge vasisadi chidzidziso chechokwadi vave nenzeve dzinovava vachizviunganidzira vadzidzisi vanowirirana nezvavanoda. Vachafuratira chokwadi votendeukira kune zvengano. Iwe ramba wakasimba, tirira matambudziko. Ita basa romuparidzi weShoko Rakanaka. Ita basa rako. Kana ndiri ini ndatosvika pokuti ndichiitwa chibayiro. Nguva yangu yokuenda yasvika. Ini ndakarwisa zvakanaka; ndakapedza mujaho, ndakachengeta chitendero. Kubva zvino ndakachengeterwa chiremba choururami, chandakagadzirirwa naTenzi mutongi wakarurama chaachandipa paZuva riya riya, kwete ini ndoga asi vose vanofarira kuzviratidza kwake. Edza napaunogona kuuya kwandiri nokukurumidza nokuti, Dhemasi, pamusana pokuda zvapanyika pano, akanditiza akaenda kuTesaronika. Kiresenzia akaenda kuGaratia. Titosi akaendawo Dharimatia. Ruka chete ndiye aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anobatsira kwazvo nokundishandira kwaanoita. Tikikusi ndakamutuma kuEfeso. Kana wouya ndivigirewo bhachi randakasiya naKariposi kuTiroasi uye mabhuku zvikuru amatehwe ose okunyorera. Arekizanda, mupfuri wesimbi akandiitira zvakaipa zvikuru. Tenzi achamutsividza zviito zvake. Kana iwewo muchenjerere nokuti anopikisana kwazvo neshoko redu. Pakutongwa kwangu kwokutanga hapana akamira neni, vose vakanditiza. Dai vangorega kupihwa mhosva nazvo. Asi Tenzi ndiye akanditsigira akandipa simba kuti ndiparidze shoko zvizere kuti vechirudzi vose varinzwe. Ndizvozvo ndakanununurwa mukanwa meshumba. Tenzi achandinunura kumabasa ose akaipa achindichengetedzera umambo hwake hwokudenga. Iye ngaarumbidzwe narini narini. Ameni. Ndikwazisirewo Pirisika naAkwira nevemba yaOnesiforosi. Erasitosi akasara Kukorinde. Tirofimosi ndakamusiya achirwara kuMiretusi. Edza kuuya mwaka wechando usati wauya. Yubhurosi anokukwazisa naPudhenzi naRinusi naKiraudhia nevehama vose. Tenzi ngaave newe. Chikomborero chenyasha ngachive newe. Ndini Pauro; muranda waMwari nomupositori waJesu Kristu kuti ndiendese mberi chitendero chavasarudzwi vaMwari uye kuti ndiendese mberi kuziva kwavo chokwadi chinowirirana nokunamata Mwari. Ndinoita izvi pamusana pechitarisiro choupenyu husingaperi hwakatsidzirwa pasichigare naMwari asingarevi nhema. Hwakazoratidzwa pachena mushoko rake, panguva kwayo nokuparidza kwandakaturirwa maererano nokukudzwa kwandakaitwa naMwari mununuri wedu. Ndiri kunyorera iwe Titosi mwana wangu chaiye muchitendero chimwetecho neni. Dai wangowana chikomborero chenyasha norugare zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Kristu Jesu mununuri wedu. Ndizvo zvandakakusiira kuKiriti kuti unyatsoronga zvisina kurongeka uye kuti usarudze nokugadza vakuru vesangano mumaguta ose sokukuudza kwandakaita. Anofanira kunge munhu asina chaangashorwe nacho, murume womukadzi mumwechete ana vana vatendi vasiri nhunzvatunzva dzavana kana tsvuuramuromo. Mubhishopi somutariri wezvaMwari anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa. Haafaniri kuva munhu ano mukundo kana chinya kana chiradza chedoro kana munhu wedzivo kana kuti anokarira pfuma. Asi anofanira kuva munhu anogamuchira vaenzi zvakanaka nomunhu anoda zvakanaka ane hunhu akamira pachokwadi, mutsvene anozvibata. Anofanira kubatisisa kushoko rechokwadi sokudzidziswa kwazvakaitwa kuti agone kudzidzisa chidzidziso chechokwadi uye kugona kupwisa vanopesana naro. Nokuti kune tsvuuramuromo dzakawanda dzisingamharwi muromo nenhunzi, vanyengedzi zvikuru vebato rokudzingiswa. Vanofanira kunyararidzwa nokuti vanonyonganisa mhuri nemhuri vachidzidzisa kuti vangozvipfumisa nezvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa. Mumwe wavo, muporofita wavo pachavo akati vaKiriti vatauri venhema nguva dzose, zvikara zvakaipa, nyope dzavanhu dzina makaro. Uchapupu uhu ndewechokwadi; naizvozvo vatsiure zvakasimba kuti vave nechitendero chezvirokwazvo, panze pokuteerera ngano dzechiJudha kana mitemo inoiswa navanhu vanoramba chokwadi. Kuna vakachena, zvose zvakachena asi kuno munhu ane tsika dzakaora asingatendi hapana chakachena. Pfungwa dzavo chaidzo nehana dzavo dzakaodzwa. Vanoti vanoziva Mwari asi vanomuramba nezviito zvavo. Vanosemesa, havateereri, havakodzeri basa ripi neripi zvaro rakanaka. Chako iwe kudzidzisa chidzidziso chinovaka. Taurira varume vakuru kuti vazvibate pakunwa, vave vanokudzikana, vakangwara vane chitendero kwacho vave norudo kwaro nemwoyo mumwechete. Taurira vakadzi vakuru kuti vave vakatsiga vasina makuhwa kana kuva varanda vedoro; vanofanira kudzidzisa zvinhu zvakanaka, nenzira iyoyo vagodzidzisa madzimai echidiki kuda varume vavo navana vavo vakangwara vari vatsvene, vanochengeta dzimba dzavo, vano mutsa vanoteerera varume vavo kuti shoko raMwari rirege kushorwa. Saizvozvo, taurira varume vechidiki kuti vazvibate. Mune zvinhu zvose, iwe pachako vape muenzaniso wezviito zvakanaka uye mukudzidzisa kwako varatidze kuva pachokwadi uine chiremera nechidzidziso chakakwana chisina chingatsoropodzwe kuti vanopikisana newe vanyare vasina chakaipa chavangataure nezvedu. Taurira varanda kuti vateerere vatenzi vavo vavafadze muna zvose, kwete kuvapindura uye varege kuvabira, asi kutoratidza kuti vakanaka uye vanogona kuvimbwa navo zvechokwadi uyewo zvizere kuti muna zvose vayemurise chidzidziso chaMwari Muponesi wedu. Chikonzero chacho ndechokuti nyasha dzaMwari dzakaratidzwa pachena kuti vanhu vose vaponeswe dzichitidzidzisa kusiyana nezvisina chitendero nehavi dzezvenyika uye kuti tigare upenyu hokuzvibata huri pachokwadi hune chitendero panyika pano tichimirira chitarisiro chedu chine rufaro chokuoneka kwembiri kwaMwari wedu mukuru nomununuri wedu Jesu Kristu. Akazvipira pamusana pedu kuti atinunure kuuipi hwose uye kuti azvichenurire vanhu vake pachake vane shungu dzokuita mabasa akanaka. Taura zvinhu izvi pachena uchikurudzira nokutsiura nesimba rose usabvumire kuti pave neanozvikudza. Yeuchidza vanhu ivavo kuti vazviise pasi pavatongi navabati venyika kuti vave vanhu vanoteerera uye kuti vave vakagadzirira kuita basa ripi neripi zvaro rakanaka; vasingatauri zvakaipa zvaani nani zvake, vanzvenge kupopotana navanhu; vave vanhu vakanyorova uye varatidze rukudzo rwakaperera kuna vanhu vose. Nokuti iyesuwo pachedu, takambenge takazungaira, tiri vanhu vasingateereri vakatetereka tiri varanda vehavi vanamafaro akasiyana — siyana tichipedzera mazuva edu muuipi neshanje tichivengwa navanhu uye isu tichivengana. Asi pakazoratidzwa mutsa norudo rwaMwari Mununuri wedu akatinunura kwete nezvatakaita isu muururami asi pamusana pengoni dzake nokushambidzwa kokuzvarwa patsva nokuvandudzwa naMweya Mutsvene waakawodzworera matiri nokuna Jesu Kristu Mununuri wedu kuti tiruramiswe nenyasha dzake tichiva vagari venhaka nechitarisiro choupenyu husingaperi. Izvi ndezvechokwadi. Ndinoda kuti iwe usimbisise zvinhu izvi, kuti avo vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira kumabasa akanaka. Izvi zvakanakisa kwazvo uye zvinobatsira vanhu. Asi iwe nzvenga nharo dzoupenzi dzezvemirongorongo yamazita amadzinza nokusawirirana nokuitirana nharo nezvomutemo nokuti hazvina chimuko kana maturo. Munhu anoparadzanisa vanhu ukamutsiura kamwechete kana kaviri, chirega kuva nechii zvacho chokuita naye. Zvinobva zvakuzivisa kuti munhu akadaro ahedhuka uye mutadzi akatozvipa mhosva. Kana ndatumira Aritemasi kana kuti Tikikusi kwauri, edza nokwaunogona nako kose kuuya kwandiri kuNikoporisi; nokuti ndafunga zvokundopedza mwaka wechando ikoko. Edza nokwaunogona kubatsira gweta, Zenasi naAporosi parwendo rwavo kuti varege kuva nechavanoshaya. Vanhu veduwo ngavadzidze kuzvipira mumabasa akanaka kuti vabatsire pazvinhu zvinenge zvichifanira kuti zviitwe, kwete kungogara maoko. Vose vandinavo vanokukwazisa. Ndikwazisirewo vaya vanotida muchitendero. Chikomborero chenyasha ngachive nemi mose. Ndini Pauro musungwa akasungirwa Kristu Jesu, tinokunyorera tiri pamwechete naTimoti hama yedu iwe Firimoni mushandipamwe nesu wapamwoyo naApiya hanzvadzi yedu naAchipusi musoja pamwechete nesu nesangano rinonamatira pamba pako. Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Tenzi Jesu Kristu. Ndinotenda Mwari nguva dzose pandinokuyeuka muminamato yangu nokuti ndinonzwa nezvorudo rwako kuvanhu vaMwari vose uye nechitendero chako chauinacho muna Tenzi Jesu. Dai mubatirapamwe wako muchitendero wangobereka muchero wokuti iwe uzive zvakanaka zviri matiri kuitira Kristu nokuti ndakawana rufaro rwakawanda nokusimbaradzwa zvichibva murudo rwako, iwe hama yangu nokuti wakaita kuti mwoyo yavanhu vaMwari ifaranuke. Nezvo kunyange zvangu, muna Kristu, ndiine simba, rokukuudza zvokuita, asi pamusana porudo, zviri nani kuti ndiite zvokukukumbira, iyeni Pauro harahwa kudai uyewo musungwa akasungirwa Kristu Jesu. Ndinokuteterera ndichikumbirira mwana wangu Onesimo wandakabereka muusungwa hwangu. Iye akanga ari munhu asina maturo kwauri asi iye zvino ave munhu ane basa kwauri nokwandiri. Zvino ndava kumudzorera kwauri ndichimutumira somunhu wapamwoyo pangu chaiye, Ndingadai ndakatosarudza kuramba ndiinaye kuno kuti andishandire panzvimbo pako nguva yandiri muusungwa kudai pamusana peShoko Rakanaka. Asi ndakasarudza kuti ndirege kuva nechandinoita ndisina mvumo yako kuitira kuti kundiitira zvakanaka kwako kurege kuva kokumanikidzwa asi kuti kuve kwaunosarudza wakasununguka. Pamwe ndizvo zvakaita kuti amboparadzaniswa newe kwekachinhambo kuti azodzorerwa kwauri zvachose, kwete senhapwa asi atokosha kupinda nhapwa, ava munun'una wapamwoyo zvikuru kwandiri, ko kutozoti kwauri, inga mwana womumusha wani uyewo akakosha muna Tenzi. Zvino kana iwe uchindiona sasahwira wako, mugamuchire sokundigamuchira kwaungandiite. Kana pane chii zvacho chaakakunganisira kana kuti ane chikwereti newe chinyore pazita rangu sechikwereti. Iyeni Pauro ndinosaina izvi noruoko rwangu kuti ndichachibhadhara tisingatauri zvedu zvechikwereti chako, chokuti iwe unotova nechikwereti kwandiri. Hongu, hama ndinoda rubatsiro kwauri zvichibva muna Tenzi. Chindifaranutsawo mwoyo muna Kristu. Pane zvokuteerera kwako ndine chivimbo newe. Ndinokunyorera ndichiziva kuti uchatoita zvinopfuura zvandiri kutaura. Chimwezve ndechokuti ndigadzirirewo imba yavaenzi nokuti ndinotarisira kuti, ndichibatsirwa neminamato yenyu, ndichadzorerwa kwamuri. Epafurasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu anokukwazisa, uyewo Mariko naAristakusi naDhemasi naRuka vashandipamwe neni. Tenzi Jesu Kristu ngaape chikomborero chenyasha kumweya wenyu. Karakare, Mwari aitaura kumadzitateguru edu kazhinji — zhinji, nenzirawo dzakasiyana — siyana nemiromo yavaporofita, asi mumazuva ano okupedzisira akazotaura kwatiri nomuromo woMwanakomana wake, waakaita mugari wenhaka yezvinhu zvose. Ndiyewo waakasika naye pasi pose. Ndiye anoratidza pachena mbiri yaMwari, ndiyezve mufananidzo chaiwo wamamiriro akaita Mwari, anochengetedza mumaoko ake zvisikwa zvose nezwi rake rinesimba. Paakapedza kuita basa rokuchenesa vanhu kuzvivi, akandogara kurudyi rwaSamasimbaose ari kumusorosoro, aitwawo mukuru kuvatumwa vedenga sezita raakanga apiwa rakanyanya kunaka kupfuura ravo. Ndoupi mutumwa akambonzi naMwari; “Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka?” Kana kuti; “Ndichave baba kwaari, iye agove Mwanakomana kwandiri?” Uyezve paakaunza dangwe rake pasi pose anoti, “Vatumwa vose vaMwari ngavamupfugamire kumunamata.” Nezvavatumwa anoti; “Anoita vatumwa vake kuti vave mhepo, varanda vake kuti vave rimi romoto.” NezvoMwanakomana anoti; “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chinozoramba chiripo nokusingaperi. Uye tsvimbo yoruenzaniso ndiyo tsvimbo youmambo hwenyu. “Imi makada ururami mukavenga unyangadzi, “Ndosaka Mwari, iye Mwari wenyu, akakugadzai ukuru pamusoro pavamwe venyu nokukuzodzai namafuta orufaro. Imi Tenzi makawarika ugaro hwapasi pose uye matenga ibasa ramaoko enyu. Izvi zvichaparara asi imi mucharamba muripo. Zvose zvichasakara sehanzu. Muchazvipeta sejasi, sechipfeko zvichasanduka asi imi munoramba makangodaro, makore enyu haagumi.” Ndoupi mutumwa waakamboti, “Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitambarariko chetsoka dzako? Handiti Mweya yose inebasa rokushanda here? Yakatumwa kuti indoitira basa avo vose vachazogara nhaka yoruponeso here?” Naizvozvo tinofanira kunyatsobatisisa zvatanzwa, kuti tirege kurasika, tonanga mutome. Nokuti kana shoko riya rakarehwa navatumwa riri rechokwadi, uyezve kana kukanganisa kose nokusateerera kwakapihwa chirango chakaenzanirana nazvo, ko, isu tichazopunyuka napapi kana tisina kuita hanya noruponeso rwakakomba kudai? Ndirwo rwakataurwa naTenzi pokutanga, rwukatsinhirwa kwatiri navavo vakamunzwa. Mwari akarupupurirawo nezvioneso, nezvishamiso, nezviratidzo, zvorudzi norudzi nezvipo zvaMweya Mutsvene zvaaipa samadiro ake. Mwari haana kuisa pasi pavatumwa nyika ichauya, yatiri kutaura nezvayo. Zvakapupurirwawo kumwe zvichinzi, “Iye munhu chiikowo zvake wamunorangarira? “Iye munhuwo zvake wamunochengeta. Kwechinguvana mukamuita kuti ave mudiki kuvatumwa, mukamupfekedza ndaza nembiri norukudzo. Makaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pamakaisa zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya nechinhu chose chisiri mumaoko ake. Iye zvino hatisati zvedu toona zvinhu zvose zviri pasi pake. Asi tinoona Jesu, iye akamboitwa muduku panavatumwa kwechinguvana achidzikwa chiremba chembiri nokukudzwa, pamusana pamarwadzo erufu kuti anzwe chinonzi rufu nenyasha dzaMwari, achifira munhu wose. Zvaikodzera kuti muridzi wezvinhu zvose, iye nyakuita kuti zvivepo, zvaaida kuendesa vana vazhinji mumbiri, aite kuti namatambudziko, mutungamiriri wavo ave wakaruramisisa. Nokuti iye munatsi wavanhu, naivo vakanatswa, vanobva padzinde rimwechete. Ndokusaka asinganyari kuvati hama, paya paanoti, “Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu, ndichakurumbidzai ndiri mukati meSangano.” Napamwezve paanoti; “Ndichaisa chivimbo changu maari.” Pamwezve achiti; “Ndiri pano navana vaakandipa Mwari.” Naizvozvo, pamusana pokuti vana vedzinza inyama imwechete neropa rimwechete, ndokusaka iyewo akava nyama imwechete neropa rimwechete nesu, kuti norufu rwake agoparadza simba rouyo ainge aine simba rorufu, Satani. Uyezve kuti agozosunungura avo vose vakagara upenyu hwavo hwose vari nhapwa dzokutya rufu. Zviri pachena wani kuti vaakatora akabatsira havasi vatumwa asi vana vechizvarwa chaAbhurahamu. Naizvozvo, aifanira kuva sehama dzake muna zvose, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi, anotendeseka mubasa raMwari, anoripirawo zvitadzo zvavanhu. Nokuti iye pachake akatambudzika akaedzwa, anokwanisawo kubatsira avo vanoedzwa. Naizvozvo, imi hama varurami, vechikwata chavakadaidzirwa denga, chimbofungai nezvaJesu, mupositori nomupristi mukuru wechitendero chedu. Aiva munhu wakatendeka kuna iye wakamusarudza; sokutendekawo kwakanga kwakaita Mosesi mumba maMwari. Asi Jesu akakodzera kukudzwa kupinda Mosesi sezvinoitwa muvaki wemba; anokudzwa kupinda imba. Nokuti imba ipi neipi ine wakaivaka asi muvaki wezvinhu zvose ndiMwari. Zvino Mosesi, somuranda akanga akatendeseka muimba yose yaMwari, achipa uchapupu hwezvinhu zvakanga zvichazotaurwa. Asi Kristu, iye mukuru wemba yaMwari akatendeseka somwana. Ndisu iyesu imba yake, chero tikaramba tichingovimba chete, nokudada nechitarisiro chedu. Naizvozvo sokutaura kwaMweya Mutsvene anoti: “Nhasi kana monzwa izwi rake, musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya, pazuva riya rokuedzwa murenje, madzibaba enyu pavakandiedza, asi ivo vakaona mabasa angu kwamakore makumi mana. Naizvozvo ndakashatiriswa nechizvarwa ichocho; ndikazoti vanogarokanganisa mumwoyo yavo. Havasati vamboziva nzira dzangu. Sokupika kwandakaita ndakashatirwa, havachazombopinda muzororo rangu.” Chenjerai, hama dzangu, kuti munaani — nani wenyu murege kuva nemwoyo wakaipa usingatendi, ungadaro ukamutsautsa muna Mwari mupenyu. Asi kurudziranai mumwe nomumwe mazuva ose kana chete kuchiri kunzi, “Nhasi” kuti kusave nomumwe wenyu anoomeswa mwoyo nounyengedzi hwechivi. Nokuti tinogoverana muna Kristu, chero chete tikaramba takabata zvakasimba ruvimbo rwedu rwapakutanga, kusvika pakupedzisira. Zvazvinonzi: “Nhasi kana monzwa izwi rake musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya.” Ndavanani vakazvinzwa asi vakazopanduka, handiti ndivo here vaya vakabva kuIjipiti vachitungamirirwa naMosesi? Ndivanani vakamutsamwisa pamakumi mana amakore? Havasi ivo here vaya vakaita zvivi, zvitunha zvavo zvikazoti rakata murenje. Ko akapika kuna vanaani kuti havasi kuzombopinda muzororo rake asi kuna ivavo vakanga vasingateereri. Naizvozvo tinoona kuti havana kukwanisa kupinda nemhaka yokusadavira. Naizvozvo, chivimbiso chokupinda muzororo rake zvachichiripo kudai, ngatichenjerei, kuti mumwe wenyu angadaro akaonekwa akundikana kupinda muzororo iri. Nokuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa kwatiri sezvarakaitwa kwavari asi Shoko iri harina zvarakabatsira, nokuti harina kusvikowana chitendero muna ivavo vakarinzwa. Isu takatenda tinopinda muzororo iroro sokureva kwaakaita achiti, “Sokupika kwandakaita, ndakashatirwa, ndichiti havachazombopinda muzororo rangu,” kunyange zvazvo mabasa ake akapera kubvira pakuvamba kwapasi. Paripo pamwe paakataura nezvezuva rechinomwe achiti, “Zvino Mwari akazorora mabasa ake ose pamusi wechinomwe.” Pamwechetepo anotizve, “Havachazombopinda muzororo rangu.” Naizvozvo pamusana pokuti pane vamwe vachiri kukwanisa kupindamo, pagoti vaya vakaparidzirwa Shoko vasina kupinda nemhaka yokusateerera, anomisa rimwe zuva racho achitori doma kuti, “Nhasi uno,” achitaura nomuromo waDhavhidhi, iko kwapera nguva yakati rebei kudai namazwi aya akamborehwa atinodzokorora anoti, “Nhasi kana monzwa izwi rake Musazoomesa mwoyo yenyu.” Nokuti dai Joshuwa akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaura pashure nezverimwe zuvazve. Naizvozvo kuna vanhu vaMwari kuchine zororo rokusabata basa, nokuti uyo anopinda muzororo raMwari anomira kuita mabasa ake sezvakaitwawo naMwari. Naizvozvo, ngativavarirei kupinda muzororo iroro, kuti pasave naanoputsika pamusana pokusateerera kwakaita sokuku. Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rinopinza kupinda bakatwa ripi neripi zvaro romuchekakose. Rinobaya zvokupinda mukati — kati chaimo richisvika pakarundana munhu nemweya wake: richisvikawo pakasangana nhengo nomwongo. Rinopatsanurawo pfungwa nezvinovavarirwa nemwoyo. Kwaari hakuna chisikwa chakavandika, zvose zvakangoti pachena yacha, zvisina chazvakapfeka, zvichinyatsoonekwa kwaari nemeso ake kuna iyeyo kwatichanozvidavirira zviito zvedu. Naizvozvo, zvatiino mupristi mukuru wakapinda nomumatenga, iye Jesu Mwanakomana waMwari, ngatichibatisisai chitendero chedu. Nokuti hatina mupristi mukuru asingakwanisi kutinzwira tsitsi noutera hwedu. Asi mupristi akamboedzwa nenzira dzakawanda sokuedzwa kwatinoitwa asi haana kumboita chivi. Naizvozvo ngatiswederei nechivimbo pedyo nechigaro choumambo chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni tigowanawo nyasha dzinotibatsira nenguva yatinenge toda rubatsiro. Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa achibva mukati mavanhu kuti ashande akamirira vanhu pane zvinhu zvaMwari. Anogadzwa upristi kuti apire zvipo nezvibayiro zvekuripira zvitadzo. Anogona kubata zvakapfava avo vasina chavanoziva navanotsauka munzira kwayo nokuti naiyewo akakomberedzwa noutera. Ndokusaka achifanira kuti apire zvibayiro zvokuripira zvitadzo zvake pachake nezvitadzo zvavanhu. Hakuna munhu anoita zvokuzvipa hukuru ihohu iye pachake, asi kuti anotodaidzwa naMwari sezvakaitwa Aroni. Saka naKristuwo haana kuita zvokukambira kugadzwa upristi hukuru, asi kuti akagadzwa nouyo akamuti, “Iwe uri Mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.” Sokutaura kwaanoita zvakare pane imwe ndima achiti, “Iwe uri mupristi nokusingaperi wegovero raMerekizedheki.” Pamazuva ake paakanga achinomuviri wake, Jesu akanamata nokuteterera achichema kwazvo nezwi guru aine misodzi padama kuna iye aigona kumununura kurufu. Chichemo chake chakanzwika, nokuti aive ari anotya Mwari. Kunyange akanga ari Mwanakomana, nokutambudzika kwaakaita, akadzidza kuti chinonzi kuteerera chii. Paakanga zvino, aitwa munhu akaruramisisa akazova musakisi woruponeso kuna vose vanomuteerera, nokuti anotumidzwa naMwari kunzi mupristi mukuru wegovero raMerekizedheki. Pane zvizvi tine zvinhu zvizhinji zvokureva asi zvakaoma kutsanangura nokuti zvavakukuomerai kunzwisisa, nokuti kunyange zvazvo, parinhasi, muchifanira kunge matova vadzidzisi, mavakutoda mumwe anokudzidzisaizve zvidzidziso zvokutanga zvamashoko aMwari. Mavakutofanira kupihwa mukaka panze pokupihwa chokudya chakasimba. Nokuti wose anorarama nomukaka haasati aziva shoko roururami pamusana pokuti mwana muduku. Chokudya chakasimba ndechevabve zano, vanepfungwawo dzakapingudzwa nokuramba vachiita zvinhu kuti vazive kutsaura zvakanaka kune zvakaipa. Naizvozvo ngatichimbosiyai zvidzidzo zvechikristu zvokutanga, tiende mberi kuzvidzidzo zvechikuru, tirege kunge tichadzokerazve mukuvaka ugaro hwezvokupinduka kubva kumabasa akafa, nehwezvechitendero kuna Mwari kana kuti nezvidzidzo zvoruombeko rwakasiyana — siyana, kana nezvokuisa vanhu maoko pamusoro, kana kutiwo nezvokumuka kwavakafa, kana nezvokutongwa kunogara nokusingaperi. Izvi tichazviita zvedu kana Mwari achitibvumira. Nokuti hazvikwanisiki kudzora vanhu vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chedenga, vakagoveranawo Mweya Mutsvene, vakaravira kunaka kweShoko raMwari nesimba roupenyu huchauya, asi vakazorasika; nokuti vanoroverera mavari ivo Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena. Zvinodaro nokuti ivhu rinonwa mvura inowanzorinaya richizobereka zvirimwa zvinobatsira vazvakarimirwa, rinokomborerwa naMwari. Asi kana robereka minzwa nedonzvambeva nesosowori, harina maturo. Ratova padyo nokunyobwa; mugumo waro kupiswa. Kunyange zvedu tichitaura nomutowo iwoyu, asi kwamuri, vadikanwi, tinechokwadi chokuti munezvinhu zviri nani zvoruponeso. Mwari haakundiki paruenzaniso. Hazviitiki kuti akanganwe basa renyu norudo rwamakatira vatsvene pamusana pake, sezvamuchiri kungoita. Tinodisisa kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze shungu dzimwechetedzo dzokuti zvatinotarisira izvi zviitike, uye agoramba achingodaro kusvikira kumagumo, kuti murege kungoneta — neta, asi kuti murambe muchingotevedzera avo vanowana nhaka yezvakavimbiswa pamusana pechitendero chavo nokusarasa mwoyo kwavo. Ndinodaro nokuti zviya, Mwari zvaakatsidzirana naAbhurahamu akapika naiye pachake nokuti pakanga pasina mukuru pana iye waaigona kupika naye, zviya zvaakati, “Zvirokwazvo ndichakukomborera chaizvo nokuita kuti uwande.” Saka nokutirira kwake Abhurahamu akawana chaakanga atsidzirwa chiya. Vanhu vanopika nomukuru kupinda ivo. Naizvozvo, kana pane gakava pakati pavanhu, vanozopedzisira nokupika, kuti vasimbisise zvavanotaura. Naizvozvo Mwari paakanga achida kunyatsosimbisisa, kuvadyi venhaka yechipikirwa kuti zvaanenge atema hazvipinduki — pinduki akazvitsinhira nemhiko. Uku kwaiva kuti nezvinhu zviviri zvisingasanduki isu vapoteri tiwane chingatikurudzire kubatisisa chitarisiro chatakapiwa nokuti mune zvizvi zviviri Mwari haagoni kutinyengedza kwete. Ichi ndicho chitsigiro chomweya chezvirokwazvo, chitarisiro chinopinda munzvimbo tsvene iri seri kwejira rokudzikatirisa, kwakafanopindwa naJesu nokuda kwedu zvaakanga ava Mupristi mukuru nokusingaperi wegovero raMerekizedheki. Nokuti iye Merekizedheki uyu, mambo weSaremu, mupristi waMwari Wokumusororo, akachingurana naAbhurahamu akanga achidzoka kubva kwaakanga andouraya madzimambo. Merekizedheki akakomborera Abhurahamu. Abhurahamu akamupa chegumi chezvinhu zvake zvose. Kana zita rake rotsanangurwa, pokutanga rinoreva kuti ndiMambo woururami, rinorevawo kuti ndiMambo weSaremu, zvichireva kuti Mambo worugare. Haana baba; haana amai; haana dzinza; mazuva ake haana mavambo; upenyu hwake hauna mugumo; asi wakafanana noMwanakomana waMwari anoramba ari mupristi nokusingaperi. Tarisai muone mukuriro waakaita! Abhurahamu, iye zitateguru, vakamupa chegumi chezvavakapamba mukurwa. Vechizvarwa chaRevhi vanogamuchira upristi hwedzinza. Vano murau unovabvumira kutora, zviri pamutemo, chegumi kubva kuvanhu, ndokuti kubva kuhama dzavo, kunyange vari vana vedzinza rimwechete raAbhurahamu. Asi munhu uyu asiri wedzinza iri akapiwa chegumi naAbhurahamu, iye akakomborera Abhurahamu, wakareyo aive nezvivimbiso. Hazvina angarambe kuti mudiki ndiye anokomborerwa nomukuru kwaari. Apa zvegumi, zvinopiwa kuvanhu vanofa, pamwe apo, zvinopiwa kune anopupurirwa kuti mupenyu. Zvichida mumwe angatoti iye Revhi pachake, anopiwa zvegumi, akabvisa chegumi pakabvisa Abhurahamu chegumi, nokuti akanga ari muchiuno chatateguru wake paakasangana naMerekizedheki. Zvino kana dai ururami huzere hwaiwanikwa pamusana poupristi hwaRevhi, nokutika panguva yahwo ndopakapiwa vanhu mutemo; ko paizodirwei kuti pamuke mumwe mupristi wegovero raMerekizedheki panze pomupristi anodaidzwa nezita regovero raAroni, nokuti kana upristi hukasanduka nomutemowo unofanira kutosanduka. Ari kurehwa panyaya iyi akanga ari werimwewo dzinza risina ati amboshanda paAritari. Zviri pachena kuti Tenzi wedu wakabva kudzinza raJudha, nezvedzinza irori panyaya yezvavapristi, Mosesi haana chaakamboreva. Izvi zvinobva zvanyatsobuda pachena — chena kana mumwe mupristi wakafanana naMerekizedheki womuka asina kuitwa mupristi maererano nomurawo womutemo womuzvarirwo wenyama asi pamusana pesimba risingagoni kuparadzwa. Anopupurirawo kuti, “Iwe uri mupristi wegovero raMerekizedheki nokusingaperi, nokuti zvinoti, uku murairo wakare wakabviswa pamusana pokushaya simba nokushaya maturo kwawo, (nokuti mutemo hauna chaunoruramisa) ukuwo uku kwakauya chitarisiro chitsva chiri nani chinotibatsira kuswedera kuna Mwari.” Izvi hazvina kuitwa pasina mhiko. Vamwe vakave vapristi pasina mhiko asi iye akave mupristi zvine mhiko. Uye akati kwaari nemhiko, “Mwari akapika uyezve haachasanduka, akati, ‘Uri mupristi nokusingaperi.’ ” Izvi zvinoita kuti Jesu ave chivimbiso chinotsigira chitenderano chiri nani. Vapristi vokutanga vaive vazhinji nokuti vaitadziswa norufu kuti vaenderere mberi nebasa ravo. Asi iye anoramba ainoupristi hwake nokuti anoramba aripo nokusingaperi. Naizvozvo, anogona kuponesa nguva dzose avo vanouya kuna Mwari nokwaari, nokuti mupenyu nguva dzose kuti avakumbirire. Nokuti zvakanga zvakakodzera kuti tive nomupristi mukuru wakadai, akarurama, asina chinoshoreka, asina kun'oreswa, akatsaurwa achibviswa panavatadzi, akasimudzirwa pamusoro, kupfuura matenga. Haasungirwi, sezvinoita vapristi vakuru vaya, kuti zuva roga roga apire chibayiro, pokutanga achizvipirira iye pachake, ozopirirawo zvitadzo zvavanhu, nokuti iye akaita izvi chakamwe paye paakazvipira iye pachake. Hongu, Mutemo unogadza vanhu vane utera kuti vave vapristi vakuru, asi izwi remhiko, rakazouya mushure moMutemo, rakagadza Mwanakomana, akaita mururami nokusingaperi. Chikuru chatiri kutaura apa ndechichi chokuti, tine mupristi mukuru agere kurudyi rwechigaro choumambo choukuru — ukuru chokudenga. Ndiye mushandiri womuNzvimbo Tsvene, tendhe rechokwadi risina kumiswa navanhu asi naTenzi. Mupristi mukuru oga oga anogadzwa kuti apire zvipo nezvibayiro. Naizvozvo mupristi iyeyo anofanira kuva nezvipo zvaanopira. Zvino dai kuri kuti aripo pasi pano haaizombova mupristi zvapane vapristi vanopira zvipo maererano nomutemo. Vanonamata muNzvimbo inoera inongova somufananidzo nomumvuri weiri kudenga nokuti Mosesi paakanga ava kuvaka tendhe akataurirwa naMwari achinzi, “Ona kuti waita zvose maererano nezvawakaratidzwa pagomo.” Asi zvino Jesu akawana basa rakatonakisisa kupinda rakare. Pamusana paizvozvo ndiye ava muyananisi wechitenderano chiri nani chakaitwa nezvitsidzo zviri nani. Dai kuri kuti chitenderano chokutanga chakanga chisina chakaipa pachiri pangadai pasina zvokuchitsiva nechechipiri. Mwari anovapa mhosva paanoti, “Zvanzi naTenzi chionai mazuva achasvika andichaita chitenderano chitsva nemba yokwaIsiraeri nevemba yokwaJudha. Chichange chisina kufanana nechitenderano chiya chandakaita namadzitateguru avo, pazuva randakavabata ruoko ndichivaburitsa munyika yeIjipiti nokuti havana kuenderera mberi nechitenderano changu navo nokudaro handina kuzoita hanya navo.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ichi ndicho chitenderano chandichaita neveimba yokwaIsiraeri mushure mamazuva iwayo ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo ndigoinyora mumwoyo mavo, ini ndichava Mwari wavo, ivowo vachava vanhu vangu. Hapana achadzidzisa mumwe achiti kuna mumwe, “Ziva Tenzi” nokuti vose zvavo vachandiziva kubvira pamuduku — duku wavo chaiye kusvikira pamukuru wavo chaiye nokuti ndichavanzwira nyasha pazvitadzo zvavo uye zvitadzo zvavo handichazombozvirangaririzve. Nokutaura nezvechitenderano chitsva, Mwari ari kutoita kuti chakare chinzi chitsaru. Chinhu chinenge chava kusakara, chavakuchembera chinobva chazorova. Kunyange chitenderano chokutanga chaivewo nemirau yezvokunamata uye Nzvimbo Tsvene pasi pano. Nokuti tende yakagadzirwa, yokunze, mairi maiva nechigadzikiro chemwenje netafura, nezvingwa zvakapirwa kuna Mwari, yainzi NzvimboTsvene. Seri kwejira rokudzikatirisa rechipiri kwaiva netendhe inonzi Nzvimbo Tsvene Inoeresesa, yaiva neAtari yorusenzi yendarama, nebhokisi rechitenderano rakanamirwa nendarama. Maivawo nomudziyo wendarama wakanga uine Mana; kozouya tsvimbo yaAroni iya yakambotungira mashizha; kozoti mafendefa echitenderano. Pamusoro pebhokisi rechitenderano paiva namakerubhu embiri akanga akahwamira hwidibiro yebhokisi rechitenderano. Panguva ino iyi hapasiripo patingagone kutaura pamusoro pezvizvi tichinyatsotsetsenura. Marongerwo ezvinhu izvi akamira akadaizvi: vapristi vanopinda nguva dzose muNzvimbo Tsvene yokunze vachiita basa ravo asi mutendhe yechipiri munopindwa nomupristi mukuru chete, kamwechete pagore. Kuti apindemo anofanira kuti atakure ropa raanopirira zvikanganiso zvake nezvavanhu. Namamiriro ezvinhu akadai, Mweya Mutsvene anoratidza kuti nzira inopinda muNzvimbo Inoeresesa haisati yazarurwa kana tendhe yokunze ichiripo. Uyu waiva muenzaniso wakananga zvenguva ino. Samamiriro akaita zvinhu izvi, zvipo nezvibayiro zvinopirwa asi hazvigone kunatsa hana yaanopira wacho, nokuti izvi zvakangorerekera kunezvokudya nezvokunwa, nezvokushamba kwakasiyana — siyana, nezvomirau yakananga zvemuviri yakaiswa kusvikira nguva yokuvandudzwa kwezvinhu kuti zvive zvitsva yasvika. Asi pakazouya Kristu, mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvakauya, akapfuura nomutendhe rine ukuru huri nani norunako irinani, isina kuitwa namaoko avanhu zvichireva kuti haisi yapanyika pano. Akapinda muNzvimbo Inoeresesa chakamwe. Haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru asi kuti nerake pachake, akatiwanira kununurwa kusingaperi. Kana ropa rembudzi nerenzombe nedota retsiru zvinomwaiwa vanenge van'ora zvichivachenura mukun'ora kwenyama, ko kutozoti ropa raKristu asina chinoshoreka akazvipira nokuna Mweya nyakugara aripo, rinochenesa zvakadii hana dzenyu kubva kumabasa akafa kuti mushandire Mwari mupenyu. Naizvozvo Kristu ndiye mukumbanidzi panyaya yechitenderano chitsva kuti avo vakadaidzwa vagamuchire chivimbiso chenhaka isingaperi nokuti pakafiwa rufu apa runovanunura kumhaka dzavakapara vari pasi pechitenderano chechiposhi. Kana pane zvakanyorwawo nomufi zvenhaka, panotofanira kuzivikanwa kuti akanyora zvenhaka akafa here kana kuti kwete. Nokuti zvakanyorwa zvenhaka zvinotanga kuva nebasa pakufa. Hazvigoni kuva nebasa iye akazvinyora achiri mupenyu. Nokudaro kunyange chitenderano chokutanga chakatosimbiswa neropa. Ndokusaka, Mosesi paakapedza kutaurira vanhu vose mirao iri mumutemo, akatora ropa remhuru nerembudzi pamwe nemvura akazvisasa pagwaro roMutemo napavanhu vose achisevenzesa wuru tsvuku nekasanzu kemuhisopo; achiti, “Iri iropa rechitenderano chamakatemerwa naMwari.” Nenzira imwecheteyo akamwaya ropa tendhe nemidziyo yose yaishandiswa pakupira. Uye maererano nomutemo tingangoti zvinhu zvose zvinochenurwa chete neropa. Pasina kudeurwa kweropa hapana kuregererwa kwezvitadzo. Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yakanga ichifanira kuchenurwa nemipiro iyi, asi izvo zvinhu zvokudenga pachazvo zvakanga zvichifanira kuchenurwa nezvibayiro zviri nani. Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakagadzirwa namaoko yakanga iri mufananidzo weiya yechokwadi asi akapinda mudenga chaimo imomo kuti iye zvino ave pana Mwari achimiririra isu. Kristu haana kupinda ruzhinji — zhinji muNzvimbo Inoeresesa kundozviita chibayiro sezvinoita mupristi mukuru anopindamo gore rimwe nerimwe neropa risiri rake. Dai zvakadaro aifanira kunge akatambudzika kazhinji — zhinji kubvira kumavambo apasi. Asi sezvazviri, akauya chakamwe, pakupera kwenguva kuzoparadza chitadzo nokuzvipira kwake. Izvi zvakangogara zvakatemwa kuti munhu anofanira kufa kamwechete; mushure mokufa kunouya kutongwa. Ndozvimwechetezvo naKristu akaitwa chibayiro kamwechete kuti atakure zvitadzo zvavazhinji. Achazouyazve kechipiri. Apa anenge asisinei nezvechitadzo asi kuzoponesa avo vakamumirira. Pamusana pokuti mutemo mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvichauya, panze pokuva nezvinhu zvacho chaizvo, kuchingova kupira zvibayiro zvimwechetezvo zvinoramba zvichingopirwa gore negore, haumbofa wakaruramisa vanamati. Dai mutemo waigona, zvibayiro zvingadai zvisina kuregerwa kupirwa here? Dai kuri kuti vanamati vakanatswa chakamwe vangadai vasinganzwe kuti vane chitadzo. Asi zvibayiro izvozvi zvinoyeuchidza zvitadzo gore negore nokuti hazvigoneki kuti ropa rehandira nerembudzi ribvise zvitadzo. Naizvozvo Kristu paakauya panyika akati, “Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamakafarira asi makandigadzirira muviri. Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo hamuna kuufarira. Ndipo pandakati, ‘Mwari, tarisai muone ndauya kuzoita kuda kwenyu, sokunyorwa kwazvakaitwa nezvangu mubhuku rokumononora.’ ” Paanoti pamusoro apo: “Hamuna kuda kana kufarira zvibayiro nemipiro nemipiro yokupisa nemipiro yokupfupira zvitadzo.” (Izvi zvinopirwa maererano nomutemo). Ndokuzoti: “Tarirai ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Arikudzima chokutanga achiisa chechipiri. Nokuda kwaizvozvo takaitwa vatsvene pamusana pechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakamwe. Uyewo mupristi mumwe nomumwe anomira achiita basa rake achipira zuva nezuva zvibayiro zvimwechetezvo zvisingambokwanisa kubvisa zvitadzo. Asi Kristu paakapira nokusingaperi chibayiro chimwechete chokupfupira zvitadzo akandogara kurudyi rwaMwari achimirira kuti vavengi vaitwe chitambarariko chetsoka dzake. Naizvozvo nechibayiro chimwechetecho akanatsa nokusingaperi avo vakaitwa vatsvene. Mweya mutsvene anotipupurirawo paanomboti, “Ichi ndicho chitenderano chandichaita navo mumashure mamazuva iwayo ndozvinotaura Tenzi. Ndichaisa mitemo yangu mumwoyo yavo uye ndichainyora mundangariro dzavo.” Anotizve handichazorangarirazve zvitadzo zvavo nezviito zvavo zvakaipa. Zvino pane ruregerero rwezvizvi panenge pasisina chibayiro chezvitadzo. Saizvozvo hama dzangu, zvatiine chivimbo chokuti tichapinda munzvimbo inoeresesa nokuda kweropa raJesu nenzira itsva mhenyu yaakatizarurira nokupinda kwaakaita napajira rokudzikatirisa, zvichereva muviri wake, uye zvatino mupristi mukuru mutariri wemba yaMwari, ngatiswederei pedyo nomwoyo uri pachokwadi norudaviro rwakasimba mwoyo yedu yakasaswa isina chinorovesa hana nemiviri yakashambidzwa nemvura yakachena. Ngatichengetedzei zvakasimba chitendero chezvatinotarisira tisingazungunutswi nokuti iye akatsidza anotendeka. Ngatinyatsofungisisai nzira dzokukurudzirana rudo namabasa akanaka. Tisaregere kusangana setsika inoitwa navamwe asi kuti tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva riya ravakusvika. Nokuti tikaramba tichingotadza zvedu isu tichiziva, isu takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hapazovezve nechibayiro chezvitadzo asi kungotarisira kutonga kunotyisa nomoto unotyisa uchaparadza mhandu. Munhu anotyora Mutemo waMosesi anouraiwa zvisina tsitsi paine zvapupu zviviri kana zvitatu. Ko kutozoti munhu anotsokodzera Mwanakomana waMwari achin'oresa ropa rechitenderano rakamuita mutsvene achishatirisa Mweya wenyasha, acharangwa zvakaipisisa sei? Inga tinoziva wani iye akati “Kutsiva ndokwangu, ndichatsividza.” Uyezve anoti, “Tenzi achatonga vanhu vake.” Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu. Asi yeukai, mazuva akare kuti mushure mokunge mavhenekerwa mukatirira matambudziko akaomarara. Dzimwe nguva maipinda mukutukwa nokutambudzwa pazere vanhu kana kubatanidzirwa navanenge vachiitirwa zvakadaro. Pamusana pokuti imi maiva netsitsi navasungwa uye maigamuchira nomufaro kupambwa kwezvinhu zvenyu nokuti imi pachenyu munoziva kuti mune chamuinacho chiri nani chinogara nokusingaperi. Nokudaro musarase chivimbo chenyu chino mubayiro mukuru. Munofanira kutirira kuti muite kuda kwaMwari kuitirawo kuti mugamuchire zvakatsidzirwa zvinoti: “Kwangosara kanguva kaduku duku uya anonzi achauya ari kuuya, haachanonoki; asi mururami wangu achararama nokutenda asi akadzokera shure handimufariri.” Asi isu hatisi vaya vokudzokera shure vanoparadzwa asi isu tiri vanhu vane chitendero vanoponesa mweya yavo. Chitendero chine chivimbo chezvinhu zvinotarisirwa uye chine chokwadi chezvinhu zvisingaoneki Nokuti nechitendero vanhu vakare vakanzi naMwari vanhu kwavo. Pamusana pechitendero tinonzwisisa kuti nyika yakasikwa nezwi raMwari zvokuti zvinooneka zvakaitwa zvichibva mune zvisingaoneki. Pamusana pechitendero Abhero akapira kuna Mwari chibayiro chinogamuchirika kupinda Kaini chakaita kuti anzi munhu akarurama Mwari achipupurira izvozvo nokugamuchira zvipo zvake. Akafa zvake asi nechitendero chake achiri kungotaura. Pamusana pechitendero Enoki akatorwa achiendeswa kudenga nokuti Mwari akanga amutora nokuti asati atorwa akanga apupurirwa kuti akafadza Mwari. Pasina chitendero hazvikwanisiki kumufadza nokuti munhu wose anouya anofanira kudavira kuti Mwari ariko uye kuti Mwari anopa mubayiro kune anomutsvaka. Pamusana pechitendero, Nowa paakayambirwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaoneka, akatirimuka akavaka ngarava kuti aponese mhuri yake. Naizvozvi akapa nyika mhosva. Akava mugari wenhaka yoururami inouya pamusana pechitendero. Pamusana pechitendero Abhurahamu akateerera paakadaidzwa kuti aende kunzvimbo yaainzi anozogamuchira senhaka. Pamusana pechitendero akabuda achienda kwaakanga asingazivi akagara munyika yechipikirwa somunhu anogara munyika isiri yake achigara mumatendhe naIsaki naJakobho, vagari venhaka pamwechete naye vechipikirwa chimwechetecho. Chikonzero ndechokuti aitarisira guta rine ugaro hwakasimba rakavakwa naMwari rakarongwa noumhizha hwake. Pamusana pechitendero Sara pachake akagamuchira simba rokubata pamuviri kunyange akanga apfuura pazera rokubereka nokuti akati iye akanga avatsidzira akatendeka. Nokudaro kubva pamunhu mumwechete uye akanga aita somunhu akafa akabereka vana vakawanda senyenyedzi dzedenga uye vasingaverengeki sejecha rapamahombekombe pegungwa. Ava vose vakafa vachitenda vasati vagamuchira zvavakanga vatsidzirwa asi vakanga vazviona vakazvikwaziza vachiri kure. Vakanga vazviona kuti vaenzi navatorwa panyika. Vanhu vanotaura vachidaro vanoratidza pachena kuti vari kutsvaka nyika yavo. Dai vakanga vachifunga nenyika yekwavakabva vangadai vakakwanisa kuwana mukana wokudzokerako. Asi sezvazviri vari kutosuwira nyika iri nani zvichireva nyika yokudenga. Ndokusaka Mwari asinganyari kunzi Mwari wavo nokuti akavagadzirira guta. Pamusana pechitendero Abhurahamu paakaedzwa akapira Isaki; nezvo munhu akanga atsidzirwa akanga oda kupira mwanakomana wake mumwechete oga iye akanga ambonzi zvizvarwa zvako zvichatumidzwa zita nokuna Isaki. Akafunga kuti Mwari anokwanisa kumutsa vanhu kunyange kurufu. Naizvozvo pakutaura, tingati akamugamuchirazve. Nechitendero Isaki akakumbirira Jakobho naEsau zvikomborero mune ramangwana. Pamusana pechitendero, Jakobho paakanga ava kufa akakomborera vana vaJosefi vose vari vaviri akakotamira pamusoro petsvimbo yake achinamata. Pamusana pechitendero Josefi, pakuguma koupenyu hwake akataura nezvekubuda kwavaIsiraeri akavaraira nezvamapfupa ake. Pamusana pechitendero Mosesi paakaberekwa akavanzwa navabereki vake kwemwedzi mitatu nokuti vakaona kuti aitarisika zvakanaka. Havana kutya chirevo chamambo. Pamusana pechitendero Mosesi paakanga akura akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao. Akatosarudza kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari panze pokunakidzwa namafaro echitadzo. Akafunga kuti kuzvidzirwa Kristu upfumi hukuru kupinda upfumi hweIjipiti nokuti mwoyo wake wakanga uri kumubayiro. Pamusana pechitendero akasiya Ijipiti asingatyi hasha dzamambo achiita somunhu ari kuona iye Asingaoneki. Pamusana porudaviro akachengeta Pasika akasasa ropa kuitira kuti muparadzi wamatangwe arege kumbovabata — bata. Pamusana porudaviro vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku sokunge vari pasi pakaoma asi vaIjipiti pavakaedza kuita zvimwechetezvo vakanyura. Pamusana pechitendero rusvingo rweJeriko rwakaputsikira pasi mushure mokuritenderera mazuva manomwe. Pamusana pechitendero Rahabhu haana kuparara pamwepo navakanga vasingateereri nokuti akanga agamuchira zvakanaka vasori vaya. Ko ndotaura zvimwe zvipiko? Nguva haimbondibvumira kuti nditaure nezvaGidheoni naBharaki naSamusoni naJefuta nezvaDhavhidhi naSamueri uye nezvavaporofita vakakurira umambo noumambo pamusana pechitendero vakamanikidzira kuti pave noruenzaniso; vakagamuchira zvakanga zvatsidzwa. Vazarira miromo yeshumba vakadzima moto unoririma vapunyuka hondo yebakatwa vakawana simba muutera. Vakava nechivindi muhondo. Vakadzvamutsa hondo dzevechirudzi. Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vamuka muvakafa. Vamwe vavo vakaoneswa nhamo vachitoramba rusununguko kuti vazomuka vava noupenyu huri nani. Vamwe vavo vakatambura kunyombwa nokurohwa vakasungwa nengetani nokuiswa mujeri. Vakatakwa namatombo vakachekwa napakati vakauraiwa namapakatwa. Vakafamba vakapfeka matehwe ehwai neembudzi vasina chokubata. Vakaoneswa nhamo vachiitirwa zvakaipa. Nyika yakanga isingakodzeri kuva navo nezvo vakadzungaira mugwenga nomumakomo muzviro nomapako enyika. Ivava vose kunyange zvavo vakanzi vanhu kwavo pamusana perutendo rwavo havana zvavo kugamuchira zvakatsidzirwa nokuda kokuti Mwari akanga afanoona zviri nani kwatiri kuti havakwanisi kururamiswa vasinesu. Naizvozvo zvatakakomberedzwa negore rezvapupu zvakawanda kudai, ngatichikandai pasi mitoro yose nezvitadzo zvinoramba zvakati nesu namata, timhanye nhangemutange yatakatarirwa takatarisa kuna Jesu muvambi akaita kuti chitendero chedu chive chakakwana. Iye, pamusana pemufaro waakanga anzi achawana, akatirira muchinjikwa achiona kunyadziswa sechinhu pasina, iye zvino agere kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari. Fungai nezvake, iye akatirira ruvengo rwakadai rwaakaitirwa navatadzi kuti imi murege kuneta kana kurasa mwoyo. Mukurwisana kwenyu nechitadzo hamusati marwisa kusvika pakurasikirwa neropa. Ko munokanganwa here kukurudzirwa kuya; mukukurudzirwa mamunonzi vana? Mwanangu kana Mwari achikudzora rega kuzviona sechinhu chisina maturo kana kurasa mwoyo kana warangwa naye. Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi anodzora uyo waanoda uye anoranga mwana wese waanotora somwana. Tirirai zvinokutambudzai nokuti kana muchirangwa, Mwari anenge achikubatai savana. Nokuti ndibaba vapi vasingarangi mwana wavo. Kana musingarangwi sokurangwa kunoitwa vamwe vose, muri voufambi hamusi vana chaivo. Chimwewo ndechokuti tina vanababa vapasi pano vaitiranga asi isu taingovaremekedza. Ko isu hatingatozviisa zvakatonyanya here pasi paBaba vezvemweya kuti tirarame. Nokuti vakatiranga kwechinguvana samaonero avo asi vanotiranga kuti tigoverane utsvene hwavo. Panguva iyoyo kurangwa kwose kunorwadza panze pokufadza asi pashure kunoberekera vadzidziswa nako muchero worugare wokururama. Naizvozvo chisimudzai maoko enyu akarengwendeka, mugwinyise mabvi enyu asina simba. Ruramisai nzira dzenyu kuti vakaremara varege kusvodogoka asi kuti varapwe. Vavarirai kuva norugare navanhu vose uye kuva noutsvene hwokuti kana munhu asinahwo haakwanisi kuona Tenzi. Chenjerai kuti pasava nomunhu anotadza kuwana nyasha dzaMwari kuti parege kuva nomudzi unovava ungakure ukakonzera nhamo uchikonzera vazhinji kun'oreswa; kuti pasave naani zvake anoita zvounzenza kana asina hanya nokunamata Mwari sezvakaita Esau akatengesa utangwe hwake nokuda kwechokudya, chokudya kamwechete. Sezvamunoziva kuti mushure, paakanga oda kuwana nhaka yamakomborero, akarambwa nokuti akashaya nguva yokusandura mwoyo nyangwe akaitsvaka nemisodzi padama. Hamuna kuswedera pane chisingabatwe, kana kumoto unon'anduma kana kurima dema rakati kwirindindi kana kudutu remhepo, nokurira kwebhosvo namaungira amazwi akaita kuti vaizvinzwa vakumbire kuti pasataurwezve kwavari nokuti vakanga vasingakwanisi kuchengeta zvakanga zvarayirwa zvaiti, “Kunyange mhuka ikangogunzva gomo inofanira kutemwa namabwe.” Zvakaonekwa zvaityisa zvokuti Mosesi akazoti, “Ndinodedera nokutya.” Asi imi makaswedera kugomo reZioni nokuguta raMwari mupenyu, kuJerusaremu rokudenga, nokuvatumwa vasingaverengeki vari pagungano rokufara uye kuungano yamatangwe akanyorwa kudenga nokumutongi ari Mwari wavose nokumweya yakanaka yakaruramiswa uye nokuna Jesu mukumbanidzi pachitendero chitsva nokuropa rakasaswa rinoreva zvinhu zviri nane kupinda raAbheri. Onai kuti musarambe kuteerera iye ari kutaura. Kana avo vakanyeverwa nomunhu wapasi pano vasina kupunyuka pavakaramba kuteerera iye aivayambira ko kutozoti isu tichapunyuka sei kana tikaramba kunyeverwa kunobva kudenga. Izwi rake rakazungunutsa pasi. Asi iye akatsidza kuti haachazozungunutsa zvake nyika chete asi nedengawo. Izwi iri rokuti, “Zvakare” raratidza kubviswa kwezvinozungunutswa kuti zvisingazungunutswi zvirambe zviripo. Saka ngatitendei kugamuchira kwatakaita umambo husingazunguniki. Nokudaro ngatipirei kuna Mwari kunamata kunogamuchirika kuno rukudzo nokutya nokuti Mwari wedu moto unoparadza. Rambai muchingodana sehama nehama. Musarege kugamuchira vaenzi zvakanaka nokuti nokuita izvozvo vamwe vakachengeta vatumwa vasingavazivi kuti vatumwa. Rangarirai vasungwa vari mujeri muite sokunge munavo mujeri uye navanenge vasiri kubatwa zvakanaka nokuti nemiwo muchiri mumuviri. Kuwanana ngakuremekedzwe pakati pavanhu vose uye bonde ravawanani ngarirege kusvibiswa nokuti Mwari achatonga pfambi navanoita upombwe. Usakarire mari. Gutsikana nezvaunazvo nokuti Mwari akati, “Handimbokushaisa chokubata kana kukusiya.” Naizvozvo tinogona kutaura nemwoyo wose tichiti, “Mwari ndiye muyamuri wangu. Handimbotyi munhu angandiitei?” Yeukai vatungamiri venyu vakakutaurirai shoko raMwari murangarire zvakaburwa muupenyu hwavo, mutevedzere chitendero chavo. Jesu Kristu ndiye mumwecheteyo nezuro nanhasi uno uye nokusingaperi. Musarasiswe nezvidzidziso zvakasiyana — siyana uye zvisingazivikanwi. Chinhu chakanaka kusimbiswa mwoyo nenyasha kwete nemitemo yezvokudya isina kumbobatsira vanoichengeta. Isu tine atari yedu. Saka avo vanoshanda mutendhe inoera havana mvumo yokudya zvapaatari iyoyo. Mitumbi yemhuka dzine ropa raiunzwa nomupristi mukuru muNzvimbo Inoera yaipiswa kunze kwomusasa wamatendhe sechibayiro chokupfupira zvitadzo. Saizvozvo Jesu akatambudzikawo kunze kweguta kuti aruramise vanhu neropa rake. Naizvozvo ngatiendei kwaari kunze kwomusasa tindotakurawo kuzvidzwa kwake nokuti pasi pano hatina guta rinogara nokusingaperi asi tinotsvaga guta richauya. Ngatirambei tichingopira nokwaari chibayiro chokurumbidza Mwari. Ndiwo muchero womuromo unopupura nezvezita rake. Usakanganwe kuita zvinhu zvakanaka uye kugoverana navamwe zvaunazvo nokuti zvibayiro zvakadaro zvinofadza Mwari. Teererai vatungamiriri venyu muchizviisa pasi pavo nokuti vari kufudza mweya yenyu savanhu vachazozvidavirira kana vobvunzwa. Regai vaite izvi vachifara, kwete vakasuwa nokuti hazvina zvazvinokubatsirai. Tinamatireiwo nokuti tine chokwadi chokuti hana dzedu dzakachena. Tine mwoyo unoda kuita zvinhu zvose nemazvo. Ndinokukumbirisai nemwoyo wose kuti muite izvi kuti ndidzorerwe kwamuri nokuchimbidza. Iye Mwari worugare akamutsa Tenzi wedu Jesu kuvakafa akava mufudzi mukuru wehwai pamusana peropa rechitenderano chinogara nokusingaperi. Ngaakurongedzerei nezvose zvakanaka kuti mukwanise kuita kuda kwake achiita zvaanoda mamuri nokuna Jesu Kristu. Iye Kristu ngaarumbidzwe narini narini. Ameni. Ndinokukumbirisai hama dzangu kuti mungotirirawo zvenyu mashoko angu okukurudzira nokuti ndanyora kwamuri muchidimu dimu chete. Ndingade kuti muzive kuti hama yedu Timoti yakasunungurwa. Ndiye wandichakuonai ndiinaye kana akurumidza kuuya. Ndikwazisirei vatungamiri venyu vose navanamati vose. Vanhu vokuItari vanokukwazisai. Chikomborero chenyasha ngachive nemi mose. Ameni. Ndini Jemusi muranda waMwari uye waTenzi Jesu Kristu. Ndinokunyorerai imi marudzi gumi namaviri akapararira ndichiti kwaziwai. Hama dzangu, onai sechinhu chinofadza pose pamunowirwa nemiedzo yakasiyana — siyana nokuti imi munoziva kuti kuedzwa kwechitendero chenyu kunobereka kutirira. Kutirira ngakuve kwakaperera kuti muve vanhu vakakwana vanezenge vasina chavasina. Kana pane asina ungwaru ngaakumbire kuna Mwari, mupanegombe kuvanhu vose, anopa asingakonoreri; huchapiwa kwaari. Asi ngaakumbire nechitendero asingakahadziki, nokuti munhu anokahadzika akafanana namasaisai egungwa anopeperetswa achiitwa suku nasai nemhepo. Munhu akadaro ngaarege kufunga kuti achawana chinhu chinobva kunaTenzi, nokuti munhu ane pfungwa mbiri, asina pake muna zvose zvaanoita. Kana hama mutendi, munhuwo zvake, akasimudzirwa pamusoro ngaafare ndizvozvowo nomupfumi kana akaninipiswa nokuti achapfuurawo seruva romusango. Sezvinongoita zuva kubuda nokupisa kwaro richiunisa uswa, neruva rahwo richikuhumuka norunako rwaro rwuchiparara ndozvichaita mupfumi kuparara mukati mebasa rake. Akakombererwa zvake munhu anotirira chiedzo nokuti kana achinge akunda chiedzo anowana ngundu youpenyu yakatsidzirwa naMwari kuna vanomuda. Ngaparege kuva nomunhu anoti kana aedzwa oti, “Mwari akandipinza muchiedzo” nokuti Mwari haagoni kuedzwa nouipi. Iyewo pachake haapinze munhu muchiedzo. Asi munhu wose anoedzwa kana achitorwa mwoyo nokufurirwa noruchiva rwake. Kana ruchiva rwabata runobereka chitadzo. Kana chitadzo chadzika midzi chinounza rufu. Musanyengedzwe, hama dzangu dzadiwa. Chinhu chose chine munhu chakanaka nechipo chose chakaruramisisa chinobva kudenga kuna Baba vezviedza vasina mupindu kana mumvuri zvawo wokusanduka. Nokuda kwake akatibereka neshoko rechokwadi kuti tive semichero yokutanga yezvisikwa zvake. Zivai izvi hama dzangu dzadiwa zvokuti munhu wose ngaakurumidze zvake kunzwa asi ave anononoka kutaura uye ave anonoka kushatirwa nokuti kushatirwa kwomunhu hakubatsiri kuti mugariro wohumwari wakarurama uitwe. Naizvozvo bvisai zvetsvina zvose nezvakawandawanda zvakaipa mugamuchire makazvidukupisa shoko rakadyarwa mamuri rinokwanisa kuponesa mweya yenyu. Naizvozvo ivai vaiti vezvinorehwa neshoko kwete vanzwi chete muchizvinyengedza nokuti kana munhu achingova munzwi bedzi weshoko, asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira huso hwake hwaakaberekwa nahwo muchiringiriro; nokuti anozviongorora zvake oenda asi obva akanganwa zvaari. Asi uyo anotarisa mumutemo uzere worusununguko oramba achingoshingirira asiri munhu anongonzwa chete achizokanganwa asi muiti webasa; achakomborerwa mune zvaanoita. Kana munhu achizviona somunamati asingadzori rurimi rwake asi iye mumwoyo make achizvinyengedza, unamati hwomunhu iyeyo hauna maturo. Unamati hwakanyatsoti tsvikiti husina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba, ndohuhu: kushanyira nherera nechirikadzi munhamo dzadzo uye kuzvibata usingasvibiswi nenyika. Hama dzangu musave norusarura, imi muine chitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu, Tenzi wembiri. Ngatitii munhu ane mhete dzendarama, akapfeka hanzu dzakanakisisa anouya pasangano penyu. Munhu murombo akapfeka marengenya ouyawo imi motarira uya akapfeka hanzu dzakanakisisa moti kwaari, “Uya ugare napapa,” asi muchiti kumurombo, “Mira uko” kana kuti, “Uya ugare pasi pedyo nechitambarariko chetsoka dzangu.” Hamuna here kuita rusaruro pakati penyu muchiva vatongi vane pfungwa dzakaipa. Teererai, hama dzangu dzadiwa. Mwari haana kusarudza here varombo panyika kuti vave vapfumi muchitendero uye vagari venhaka youmambo hwaakatsidzira vanomuda. Asi imi munoshora murombo. Vapfumi havasirivo here vanokudzvanyirirai uye havasirivo vanokukwekweretserai kumatare here? Havasirivo vanoshonha here zita rinoremekedzwa ramunodaidzwa naro? Kana mukazadzisa mutemo woumambo maererano namagwaro matsvene unoti, “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Munoita zvakanaka. Asi mukaratidza rusaruro, munopara chitadzo uye munopihwa mhosva nomutemo savatyori vomutemo nokuti munhu anochengeta mutemo wose asi okundika pamwe pawo ane mhosva yokutyora wose. Chikonzero ndechokuti iye akati, “Usaite upombwe,” ndiye akatiwo, “Usauraye.” Kana ukarega zvako kuita upombwe asi iwe uchiuraya watodarika mutemo. Kutaura nokuita kwenyu zviitei savanhu vachatongwa nomutemo worusununguko nokuti kutonga hakuna tsitsi kune munhu asinawo kuratidza tsitsi. Asi kune vakaratidza tsitsi kutonga hakuna zvakunovaita. Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa? Chitendero chingamuponese here? Ngatitii hamarume kana hamakadzi haina chokupfeka isina chokudya chamazuva ose, mumwe wenyu oti kwavari, “Endai zvenyu norugare mudziirirwe uye mugute” asingavape zvinodikanwa nomuviri zvinobatsirei. Nokudaro chitendero pachacho chisina mabasa chakafa. Mumwe angati “Iwe une chitendero ini ndina mabasa. Ndiratidze chitendero chako iwe usina mabasa ini namabasa angu ndikuratidze chitendero changu.” Unotenda kuti Mwari mumwechete unoita zvakanaka. Kunyange mweya yakaipa inotendawo kudaro ichitodedera. Nhaiwe benzi romunhu, unoda here kuziva kuti chitendero chisina mabasa hachina muchero? Abhurahamu baba vedu havana kururamiswa namabasa here pavakapira mwanakomana wavo Isaki paatari. Unozviona kuti chitendero chavo namabasa avo zvaishanda pamwechete, chitendero chakazadzikiswa namabasa. Magwaro Matsvene akabva azadziswa anoti, “Abhurahamu vakatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama akanzi shamwari yaMwari.” Munozvionawo kuti munhu anoruramiswa namabasa kwete nechitendero choga. Handizvo zvimwechetezvo here nepfambi Rahabhu yakaruramiswa namabasa payakagamuchira vasori ikavaendesa neimwe nzira? Nokuti ndizvo zvakaita muviri, kana usina mweya wakafa; saizvozvowo chitendero chisina mabasa chakafa. Hama dzangu, vazhinji venyu ngavarege kuva vadzidzisi nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvakatonyanya kuomarara. Nokuti tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asinganganisi mune zvaanotaura, munhu iyeyo, munhu akakwana anogona kuita kuti muviri wake wose umuteerere. Kana tichiisa matomhu mukanwa memabhiza kuti atiteerere, tinotungamirira miviri yawo yose. Tarisai muonewo zvikepe. Kunyange zvakakura zvazvo kudaro uye zvichisundwa nemhepo dzine simba, zvinotungamirirwa nekadiki kokudzoresa chikepe kunenge kwadiwa nomutyairi. Saizvozvo rurimi kanhengo kadikidiki kanozvikudza nezvinhu zvikuru. Sango guru rinoririmiswa wani nakamoto kadikidiki. Rurimi moto. Rurumi inyikawo pachayo nokwayo youipi mukati menhengo dzomuviri wedu. Runosvibisa munhu wose sezvaari ruchingandutsa nomoto nzira youpenyu hwose hwomunhu. Irwowo runobatidzwa nomoto warwo negehena. Mhuka dzamarudzi ose neshiri nezvose zvinozvova napasi nezvinhu zvomugungwa zvinogona kupingudzwa uye zvinopingudzwa navanhu. Asi hapana munhu anogona kupingudza rurimi, rwakaipa uye haruna parwo uyezve rune chepfu. Tinorumbidza narwo Tenzi naBaba uye narwo tinorengerera vanhu rushambwa, vanhu vakasikwa vakafanana naMwari. Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro. Chisipiti chingaburitse, napaburi rimwechete, mvura yakanaka nemvura inovava here? Muonde ungabereke maorivhi here, nhai hama dzangu, kana kuti mugirepisi ungabereke maonde here? Saizvozvowo mvura inovava haigoni kuburitsa mvura yakanaka. Ndiani akangwara uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze izvozvo nomugariro wake wakanaka unoitwa muungwaru hwokuzvidukupisa. Zvino kana muine shanje yakaipisisa noundingoveni hwakaipa mumwoyo yenyu musazvirumbidze muchirevera chokwadi nhema. Ungwaru hwakadai haubvi kudenga asi ndehwapasi pano hwomuberekerwo womunhu uye wohusatani. Nokuti pane shanje noundingoveni hwakaipa, panoita nyonganyonga nokuita kose kwakashata. Asi ungwaru hunobva kudenga, pokutanga hutsvene kwouya kuti ndehwerugare nemwoyo murefu, hunonzwisisa, uye huzere tsitsi, hune michero yakanaka husina chinokahadzisa kana chinonyengedza. Muchero woururami unodyarwa murugare navawadzanisi. Chii chinokonzera hondo uye chii chinokonzera kurwisana pakati penyu? Hadzisi havi dzenyu here dzinokonzera kurwisana mukati memitezo yenyu? Munoda chinhu motadza kuchiwana nezvo munobva monouraya. Munochiva chinhu asi motadza kuchiwana nezvo morwa zvokuita hondo. Hamuwani chinhu nokuti hamukumbiri. Kana mukakumbira hamuwane nokuti hamukumbiri nenzira kwayo muchitoda zvenyu kuzvipedzera muhavi dzenyu. Vanhu vasingatendeki! Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kunoita kuti muvengane naMwari? Naizvozvo munhu anoda kuva shamwari yenyika anozviita mhandu yaMwari. Kana kuti munofunga here kuti Magwaro Matsvene anotaura pasina paanoti, “Mwari anorwadziwa mumwoyo neshanje pamusoro paMweya waakati agare matiri asi anopa nyasha dzakatowanda.” Ndosaka Magwaro Matsvene achiti, “Mwari anopikisana navanozvikudza achipa nyasha dzake kune vanozvininipisa.” Naizvozvo zviisei pasi paMwari. Rwisai Satani iye achakutizai. Swederai kuna Mwari iyewo achaswederawo kwamuri. Shambai maoko enyu imi vatadzi muchenese mwoyo yenyu, imi vanhu vemwoyo miviri. Suwai muungudze mucheme. Kuseka kwenyu ngakusanduke kuve kuungudza; kufara kwenyu kuve kusuruvara. Zvirerekei pamberi paTenzi iye achakukwidziridzai. Hama dzangu musataure zvakaipa nezvavamwe. Munhu anotaura zvakaipa nezvehama kana kutsoropodza hama yake anotaurawo zvakaipa nezvomutemo uye anotsoropodza mutemo. Zvino kana uchitsoropodza mutemo hausi kuchengeta mutemo watova mutsoropodzi. Kunongova nomupi mumwechete womutemo nomutongi anogona kuponesa nokuparadza. Ko iwe uri aniwo zvako iwe, unotsoropodza mumwe wako? Ko zvino imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rakati tondopedza gore tiriko tigoshava tiwane upfumi” asi zvamangwana musingambozviziva? Upenyu hwenyu chii? Nokuti muri mhute inongooneka kwechinguva yobva yanyangarika. Zvamunotofanira kutaura ndezvokuti: “Kana Tenzi achida tichararama uye tichaita ichi nechocho.” Asi sezvazviri munotozvitutumadza mukuzvikudza kwenyu. Kuzvitutumadza kose kwakadaro kwakashata. Munhu anoziva zvinofanira kuitwa zvakarurama, asi asingazviiti, kwaari chitadzo. Zvino imi vapfumi chemai muridze mhere nokuda kwenhamo dzichakuwirai. Upfumi hwenyu huri kuora uye hanzu dzenyu dziri kudyiwa nezviundudzi. Ndarama yenyu neSirivha zviri kuita ngura. Ngura yazvo ndiyo ichakuwanisai mhosva. Ichakudyai nyama yenyu somoto. Makazviunganidzira upfumi kuitira mazuva okupedzisira. Chinzwai munzwe kuchema kuri kuita mibayiro yavashandi vaikohwa minda yenyu yamakachengeta zvokubiridzira, uye kuchema kwavakohwi kwakasvika munzeve dzaTenzi wehondo nehondo. Makagara panyika mumutambaratede nomumafaro. Makazvikodza nezvapamwoyo kuitira zuva rokubaiwa. Makapa mhosva mukauraya mururami asi haana kukudzivisai. Itai zvenyu mwoyo murefu hama dzangu kusvikira Tenzi auya. Tarisai muone murimi anorima michero inokosha yenyika. Anoita mwoyo murefu nazvo kusvikira yawana mvura yomunhuruka neyokupedzisira. Imiwo munofanira kuita mwoyo murefu; mutsunge mwoyo nokuti Tenzi ava pedyo nokuuya. Musanyunyutirane, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Hoyo mutongi wotosvika, ava pamisuo. Hama dzangu, torai; vaporofita vaitaura muzita raTenzi somuenzaniso wokutambudzika uye wokuita mwoyo murefu. Inga wani tinoti vakakomborerwa vakatirira. Inga makanzwa kutirira kwaJobhu mukaona chinangwa chaTenzi kuti Tenzi ane ngoni netsitsi zvakadii. Asi kupfuura zvose, hama dzangu musapike nedenga kana nenyika kana nokupika kupi zvako. Regai hongu wenyu angova, hongu uye, kwete wenyu angova kwete kuti murege kupiwa mhosva. Pakati penyu pane ari kutambudzika here? Ngaanamate. Pane ari kufara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza. Pane anorwara here pakati penyu. Ngaadaidze vakuru vakuru vesangano vazomunamatira vachimuzora mafuta muzita raTenzi. Munamato uyu wechitendero uchaponesa murwere. Tenzi achamumutsa uye kana akapara zvitadzo acharegererwa. Naizvozvo reururai zvitadzo zvenyu mumwe kunomumwe muchinamatirana kuti muporeswe. Munamato womunhu akarurama une simba pakushanda kwawo. Eriya akanga ari munhu akangoitawo sesu pamuzvarirwo wake. Akanamata nomwoyo wose kuti kurege kunaya. Kwamakorewo matatu nemwedzi mitanhatu hakuna kunaya panyika. Akazonamatazve, denga rikanaya mvura, nyika ikabereka muchero wayo. Hama dzangu pakati penyu mumwe akatsauka pachokwadi, mumwewo akamudzora, iyeyo ngaazive kuti ani nani anodzora mutadzi mukurasika kwake gwara achaponesa mweya wake kurufu uye zvitadzo zvizhinji zvichafukidzwa. Ndini Pita mupositori waJesu Kristu, ndinokunyorerai imi vatorwa venguva yoKutekeshera kunyika dzePondusi neGaratia neKapaudhosia neAsia nokuBhetinia imi makasarudzwa mukanzi naMwari Baba mururamiswe naMweya kuitira kuti muteerere Jesu Kristu uye kuti musaswe neropa rake. Dai mangowaniswa chikomborero chenyasha dzakawanda norugare ruzere. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu! Nokuda kwengoni dzake dzakawanda takaberekwa patsva kuchitarisiro chezvirokwazvo pamusana pokumuka kwakaita Jesu Kristu kuvakafa. Uye kuti tive nenhaka isingaperi isina kuipiswa, isingabhuruvari yamakachengeterwa kudenga, imi makachengetedzwa nesimba raMwari uye nokuda kwechitendero kusvikira ruponeso rwakagadzirirwa kuburitswa pachena panguva yokupedzesera. Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana — siyana. Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu. Kunyange musina kumuona munomuda. Kunyange musingamuoni iye zvino, munotenda maari muchifara norufaro rusingatauriki rukuru kwazvo. Somubayiro wechitendero chenyu, munowana ruponeso rwemweya yenyu. Vaporofita vakaporofita nezvenyasha dzaizova dzenyu, vakatsvagisisa vakafeya — feya nezvoruponeso irworwu. Vakatsvagisisa nozvomunhu iyeyo uye nezvenguva yakaratidzwa naMweya waKristu mavari pavaifanotaura nezvedambudziko raKristu nembiri yaizotevera. Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishandiri asi vaishandira imi muzvinhu zvamakataurirwa navaiparidza kwamuri Shoko Rakanaka nokuna Mweya Mutsvene akatumwa kubva kudenga. Vatumwa vaitosuwira kuona zvinhu izvozvo. Mupfungwa dzenyu, sungai dzisimbe. Zvibatei; isai chivimbo chenyu chizere panyasha dzichauya kwamuri pacharatidzwa Jesu Kristu. Savana vanoteerera musatevedzere mapangiro enyu amaiva nawo pamakanga musina ruzivo. Pamusana pokuti anokudaidzai mutsvene, imiwo ivaiwo vatsvene muzviito zvenyu zvose. Sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Ivai vatsvene nokuti ini ndiri mutsvene.” Mukamudana saBaba, iye anotonga munhu wose pasina rusaruro maererano nezviito zvake, ivai nokumuremekedza kukuru pakugara kwenyu panguva yenyu youtorwa. Imi munoziva kuti makadzikinurwa kunzira dzisina maturo dzamakawana kumadzibaba enyu, kwete nezvinhu zvinoparara sesirivha kana ndarama asi neropa rinokosha raKristu serehwayana isina chinoshoreka kana kavara. Akasarudzwa pasi pasati pavapo, akazoratidzwa pokupedzisira kwenguva kuri kuitira imi. Nokuna iye, munechivimbo muna Mwari akamumutsa kuvafi akamupa mbiri kuti chitendero chenyu nechitarisiro zvive muna Mwari. Zvino zvamakachenesa mweya yenyu nokuteerera kwenyu chokwadi kuti muve norudo rwechokwadi kune vehama; idanai zvechokwadi nemwoyo wose. Makazvarwa patsva kwete nembeu dzinofa asi dzisingafi nokuShoko benyu raMwari risingafi rinogara nokusingaperi nokuti, “Vanhu vose uswa mbiri yavo yakaita samaruva omusango uswa hunouna,” ruva rinodonha asi Shoko raTenzi rinogara nokusingaperi. Shoko iroro ndiro Shoko Rakanaka rakaparidzwa kwamuri. Saizvozvo chibvisai uipi hwose nokunyengedza kose nokubata vanhu kumeso neshanje nokunyomba kose. Savacheche vatsva vachangoberekwa suwirai mukaka chaiwo wezvemweya kuti nawo mukure kusvika kuruponeso. Nokuti “Makaravira mutsa waTenzi.” Uyai kwaari, iye Dombo Benyu rakarambwa navanhu asi pana Mwari rakasarudzwa uye rinokosha, imiwo uyai samatombo mapenyu muvakwe kuva Temberi yemweya, muve vapristi vatsvene kuti nokuna Jesu Kristu mupire zvibayiro zvemweya zvinogamuchirika pana Mwari nokuna Jesu Kristu. Nokuti zvakanyorwa muMagwaro Matsvene kuti: “Tarisai muone ndava kuisa dombo muZioni dombo rapakona rakanyatsosarudzwa uye rinokosha. Munhu anodavira maari haambonyadziswi. Kunemi munotenda, akakosha asi kune vasingatendi, dombo iroro rakarambwa navavaki, ndiro rava dombo rine basa guru rapakona. Pamwewo panoti, ‘Iri ndiro dombo richagumbura vanhu, ibwe richaita kuti vaputsike.’ ” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko sokurongerwa kwavakaitwa. Asi imi muri rudzi rwakasarudzwa, vapristi vokumba huru, rudzi runoera, vanhu vaMwari kuti muparidze mabasa anoshamisa ouya akakudaidzai kuti mubve murima muchipinda muchiedza chake chinoshamisa. Makambenge musiri rudzi, asi iye zvino mava rudzi rwaMwari. Makambenge musina kuitirwa tsitsi asi zvino makaitirwa tsitsi. Vadikanwi ndinokukurudzirai savauyi navatorwa kuti musiyane nehavi dzomuviri dzinorwisana nemweya wenyu. Ivai nomugariro wakanaka mukati mevechirudzi kuti kana vakakurevai savanhu vanoita zvakaipa vazoona mabasa enyu akanaka vagorumbidza Mwari paanokushanyirai. Pamusana paTenzi, zviisei pasi pavanhu vakagadzwa ukuru pakati pavanhu, pangave pasi pamambo somukuru mukuru, kana kumasadunhu vaanenge atuma kundoranga vanoita zvakaipa nokurumbidza vanoita zvakanaka. Chikonzero chacho ndechokuti, nokuita zvakanaka munopwisa kutaura kusina maturo kwavanhu vasina zvavanoziva. Garai savanhu vanerusununguko, asi musingasevenzesi rusununguko rwenyu sechinhu chokuhwanda nacho mukuita zvakaipa, asi garai savaranda vaMwari. Remekedzai vanhu vose, idanai navose nevehama. Ityai Mwari, muremekedze mambo. Vashandi zviisei pasi pavatenzi venyu norukudzo rwose, kwete kune vane mwoyo wakanaka chete kana kuna vane mwoyo munyoro asi kunyange kune vakaoma mwoyo, nokuti chikomborero kuti munhu anotirira zvake nhamo, iye achitambudzika zvisina ruenzaniso, pari pamusana pokuti anoziva kuti kuna Mwari. Unowana mubayiro wei kana ukatirira iwe waroverwa kuita zvakaipa? Asi kana ukaita zvakanaka iwe ugotambudzika nokuda kwazvo iwe ukatirira zvako, chikomborero ichocho pana Mwari. Izvi ndizvoka zvamakadaidzirwa nokuti Kristu akakutambudzikiraiwo achikusiirai muenzaniso kuti mutevere makwara ake. Haana kumbopara chitadzo. Hapana unyengedzi hwakambowanikwa pamuromo pake. Paakanyombwa haana kudzorera nokunyombawo. Paakarwadziwa haana kuti muchazviona asi akavimba naiye anotonga zvino ruenzaniso. Iye akatakura zvitadzo zvedu mumuviri wake pamuti kuti isu zvokutadza tisiyanenazvo tigare upenyu hwoururami. Makarapwa namaronda ake nokuti makanga muchitetereka sehwai asi iye zvino makadzokera kuMufudzi noMuchengeti wemweya yenyu. Ndizvo zvimwechetewo nemi madzimai zviisei pasi pavarume venyu kuti vamwe vavo kunyange vasingateereri shoko, vanogona kubatwa mwoyo nomugariro wavakadzi vavo pasina chataurwa, kana vaona kuremekedza kwenyu noupenyu hwenyu hwakachena. Kuzvishongedza kwenyu ngakurege kuva kokunze zvakaita sokugadzira vhudzi nokuzvishongedza nendarama nokupfeka hanzu dzamandiriri. Runako rwenyu ngaruve rwohunhu hwakavandika rwomumwoyo nechishongo chisingaparari chomweya wakapfava worunyararo wakakosha kwazvo pana Mwari. Saizvozvo ndizvo zvaiitwa navakadzi vakare vatsvene vaiva nechitarisiro muna Mwari. Vaizvishongedza nokuzviisa pasi pavarume vavo sokuteerera Abhurahumu kwakaita Sara achimuti Tenzi. Zvino imi ndimi vana vake kana mukaita zvakanaka musina chamunotya. Ndizvozvowo nemi varume, munofanira kugara navakadzi venyu nokunzwisisa muchivaremekedza savanhu vasina simba serenyu. Varemekedzei nokuti vachagamuchira pamwechete nemi chipo choupenyu kuti minamato yenyu irege kupingidzwa. Pokupedzisira, mose zvenyu ivai nomwoyo mumwechete muchinzwirana urombo muchidanana sehama nehama nokuva nomwoyo munyoro nomwoyo wokuzvirereka. Musadzorere chakaipa nechakaipa kana kurengerera nokurengerera asi chenyu imi itotii ngavakomborerwe nokuti ndizvo zvamakadaidzirwa kuti muwane chikomborero. “Uyo anoda upenyu, anoda kuwana upenyu hwakanaka, ngaazvidzore rurimi rwake kuuipi nomuromo wake urege kutaura nhema. Ngaasiane nouipi aite zvakanaka ngaatsvake rugare arutevere, nokuti maziso aTenzi ari pavarurami nzeve dzake dzakarerekera kuzvichemo zvavo. Uso hwaTenzi hunonangana navanoita zvakaipa.” Ndiani angakukuvadzei kana muine shungu nezvakanaka? Asi kunyange zvazvo mukatambudzikira ururami muchakomborerwa. Musavatye uye musazvidye mwoyo. Asi imi mumwoyo menyu remekedzai Kristu saTenzi. Garai makagadzirira kupindura munhu anokubvunzai nezvechitarisiro chiri mamuri, asi zviitei nemwoyo munyoro norukudzo muchengetedze hana dzenyu dzakachena kuti kana votaura zvakaipa nezvenyu, vanonyomba mugariro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe nokuti zviri nani kutambudzikira kuita zvakanaka kana zviri izvo zvinoda Mwari pano kuita zvakaipa, nokuti Kristu akafira zvitadzo chakamwe, munhu akarurama achifira vasina kururama kuti atiunze kuna Mwari. Mumuviri akauraiwa, mumweya akamutswa. Muupenyu hwomweya ihwohwo akaenda akandoparidza kumweya yaiva muusungwa vasina kunge vateerera; Mwari paakamirira nomwoyo wake murefu, pamazuva aNowa ngarava ichavakwa, makazoponeswa vanhu vashoma vanokwana vasere chete, vakaponeswa nemvura. Ruombeko rwakaita saizvozvo. Runokuponesai zvino, kwete nokubvisa tsvina pamuviri asi sechichemo kuna Mwari kuti hana icheneswe pamusana pokumuka kwaJesu Kristu akaenda kudenga, zvino ari kurudyi rwaMwari. Vatumwa neveushe navanamasimba vari pasi pake. Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri make, torai pfungwa imwecheteyo sezvombo zvokurwisa nazvo nokuti munhu wose akarwadziwa mumuviri akatoregera zvokutadza. Izvi kuti kuti, nguva yasara yamunenge muine muviri, mugare muchitungamirirwa kwete nehavi dzomuviri asi nokuda kwaMwari. Chiregai nguva yakapfuura ichiva yakakwana yokuita zvinodiwa nevechirudzi zvinoti unzenza, kutevera havi dzomuviri, nokuraradza nokusazvibata kwavararadzi nokutamba kwakaipa nokunamata zvisiri Mwari kwakafumuka. Iye zvino vavakutoshamiswa kuti imi hamuchabatana navo muupenyu hwerurasademo mukuita zvinhu zvisina kana namaturo ose saka vachikunyombai. Vachandozvidavirira kwaari iye akagadzirira kutonga vapenyu navafi. Ndokusaka Shoko Rakanaka rakaparidzwa kunyange kuvakafa kuitira kuti kunyange vakatongwa vaine muviri savanhu, vagare mumweya saMwari. Kuguma kwezvinhu zvose, kwava pedyo, naizvozvo dzikamai muzvibate kuti mukwanise kunamata. Kupfuura zvimwe zvose rambai muchingodana nokuti rudo runofukidza zvitadzo zvakawanda. Gamuchiranai mudzimba dzenyu pasina kunyunyuta. Mumwe nomumwe wenyu zvaakagamuchira chipo, chishandisiranei savanhu vakapiwa basa rezvikomborero zvakasiyana — siyana naMwari. Wokuparidza ngaataure somunhu anotaura zvirevo zvaMwari. Anoitira vamwe mabasa ngaaite somunhu anopiwa simba naMwari kuitira kuti muna zvose Mwari arumbidzwe nokuna Jesu Kristu, muridzi wembiri nesimba narini narini Ameni. Vadikanwi musashamisike nenhamo inopfuta moto inokuwirai kuti ikuedzei; zvinoita sokunge chimwe chinhu chinoshamisa chiri kuitika kwamuri. Asi itofarai nokutambudzika kwenyu pamwechete naKristu kuitira kuti muzofarawo nokupembera kufara pacharatidzwa pachena mbiri yake. Kana mukanyombwa pamusana pezita raKristu makakomborerwa nokuti Mweya wembiri, Mweya waMwari ari pamuri. Ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambudzika nokuda kokuva mhondi kana mbavha kana kuva munhu anoita zvakaipa kana nokuva nhunzvatunzva. Asi munhu akatambudzika somuKristu ngaarege kunyara asi ngaatorumbidza Mwari nezita iroro. Chikonzero chacho ndechokuti kutongwa kwatotanga kuchitangisa nemhuri yaMwari. Zvino kana kuchitanga nesu kudai, ko kune avo vasingatendi Shoko Rakanaka raMwari zvichaperera kupi? Kana mururami, kuponeswa kwake kuri kokubuda napaburi retsono ko asiri munamati nomutadzi achamira papi? Saizvozvowo avo vanotambudzika sokuda kwaMwari ngavazviturire mumaoko aMwari musiki akatendeka. Naizvozvo ndinokurudzira vakuru — vakuru pakati penyu somumwe wavakuru — vakuruwo uye somupupuri wamatambudziko aKristu uyewo somumwe waavo vachawana mugove mumbiri icharatidzwa. Fudzai danga raMwari rakaiswa mumaoko menyu, kwete sokunge munomanikidzwa asi nomwoyo unoda, kwete pamusana pokuda kuzvipfumisa zvinonyadzisa asi muchitozvifarira. Musaite zvechisimba navari pasi penyu asi mukutova muenzaniso kudanga iroro. Kana mufudzi mukuru wooneswa, muchawana ndaza isingabhuruvari yembiri. Naizvozvowo nemi vadiki vacho ivai pasi pavakuru — vakuru. Pfekai mose kuzvidukupisa mumwe achizvininipisa kune mumwe nokuti Mwari anorwisana navanozvikudza achitsigira nenyasha vanozvininipisa. Nokudaro zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba kuti nenguva yakafanira azokupembedzai zvikuru. Turirai zvinokudyai mwoyo zvose kwaari nokuti anehanya nemi. Garai makagadzikana makarindira, mhandu yenyu Satani anobvongodza kose kose seshumba inodzvova ichitsvaka waingadye. Murwisei, makasimba muchitendero chenyu, muchiziva kuti kutambudzika kumwecheteko kunofanira kutirirwa nevehama pasi pose. Mushure mokunge mambotambudzika kwechinguva, Mwari wenyasha dzose, iye akakudaidzai kumbiri yake isingaperi muna Kristu, iye pachake achakudzorerai kuva zvamunofanira kunge muri, mudzike midzi, achikusimbisai. Iye ngaave noumambo narini narini. Ameni. Ndakunyorerai muchidimbu ndichibatsirwa naSirivhanusi, hama yakatendeka sokuona kwangu, ndichikukuridzirai ndichitaura pachena kuti idzi inyasha dzaMwari chaidzo; rambai makasimba madziri. Sangano revekuBhabhironi rakasarudzwawo semi rinokukwazisai uyewo Mako mwana wangu anokukwazisai. Kwazisanai nokutsvodana kworudo rwechikristu. Rugare ngaruve nemi mose muna Kristu. Ndini Simoni Pita muranda nomupositori waJesu Kristu, ndinokunyorerai imi makagamuchira chitendero chakakosha chakangoita sechedu nesimba roururami hwaMwari wedu nomuponesi wedu Jesu Kristu. Dai mangowana chikomborero chenyasha dzakawanda norugare ruzere mukuziva kwamunoita Mwari uye Jesu Tenzi wedu. Simba rake rouMwari rakatiwanisa zvinhu zvose zvinopa upenyu uye unamati hwechokwadi pamusana pokuziva iye akatidaidza kumbiri yake nokurunako rwake. Nenzira iyoyi akatipa zvitsidzo zvakakosha uye zvakakura kwazvo kuti nazvo mupunyuke kuora kuri panyika pamusana pehavi muchiva nomugove muumwari. Nokuda kwechikonzero ichochi edzai nokwamunogona kose kuwedzera chitendero nezviito zvakarurama, pazviito zvakanaka wedzerai ruzivo, paruzivo wedzerai kuzvibata, pakuzvibata wedzerai kutsungirira, pakushingirira kwenyu muwedzere unamati paunamati muwedzere kudana sehama nehama, pakudana sehama nehama muwedzerewo rudo. Chikonzero ndechokuti kana zvinhu izvi muinazvo zvakawanda hamuzoshaya chimuko kana kushaya muchero mukuziva Tenzi wedu Jesu Kristu, asi ani naani zvake anenge asina zvinhu izvi, ibofu, munhu asingaoni zvinhu nemazvo uye atokanganwa kuti akacheneswa pazvitadzo zvake zvakare. Naizvozvo hama shingairai zvikuru kuti musimbaradze kudaidzwa kwenyu nokusarudzwa kwenyu nokuti mukadai hamuzoputsiki. Nezvo muchanyatsogamuchirwa namaoko maviri muumambo husingaperi hwaTenzi wedu noMuponesi, Jesu Kristu. Naizvozvo ndinoda kupota ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi kunyange zvazvo muchizviziva kare uye kunyange zvazvo makadzika midzi muchokwadi chamunacho. Ndinofunga kuti zvakanaka pandinenge ndichiri mupenyu kudai, kukumutsai mwoyo kuri kukuyeuchidzai sezvandinoziva kuti kubva kwangu mumuviri uno wandiri, kuri pedyo sokuratidzwa kwandakaitwa naTenzi wedu Jesu Kristu. Ndichatoona kuti mushure mokunge ndaenda muzokwanisa kuyeuka zvinhu izvi panguva ipi neipi zvayo. Hatina kutevedza ngano dzokungofungira patakakuzivisai nezvesimba uye nezvekuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Takanga tiri zvapupu zvakazvionera nameso ukuru ukuru hwake nokuti paakapiwa rukudzo nembiri naMwari Baba izwi rakauya kwaari richibva mukupenya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye zvikuru.” Takanzwa izwi iri richibva kudenga nokuti takanga tinaye pagomo rinoera riya. Naizvozvo tine shoko rechiporofita rakanyatsosimbisiswa. Zviri nani kwamuri kuriteerera semwenje unovheneka munzvimbo ine rima kusvikira zuva rabuda uye hweva yabuda mumwoyo menyu. Pakutanga munofanira kunzwisisa izvi zvokuti hakuna chiporofita chaMagwaro Matsvene, munhu chaanga dudzire sokuda kwake nokuti hakuna chiporofita chakangouya chichingonyuka zvacho mumunhu. Asi kuti vanhu vakafemerwa naMweya Mutsvene vakataura zvinobva kuna Mwari. Vaporofita venhema vakamukawo pakati pavanhu. Saizvozvowo pakati penyu, pachamukawo vadzidzisi venhema vachaunza, muchivande zvidzidziso zvenhema zvinoparadza vachitoramba Tenzi wakavatenga vachizviunzira kuparadzwa kwechimbi — chimbi. Vazhinji vachatevera unzenza hwavo uye pamusana pavo nzira yechokwadi ichashorwa. Pamusana pokudisa kwavo upfumi vachakushandisai namazwi enhema kuti vazvipfumise. Kubvira kare kare mhosva yavo haiori; kuparadzwa kwavo kwakavarindira. Kana Mwari akaita izvi zvokuti haana kurega kuranga vatumwa pavakatadza asi kutoti akavakanda mugomba romoto achivaisa mumakomba apasi pasi ezarima mokumbovachengetera kusvikira pakutongwa. Kunyange asina kurega kuranga nyika iya yakare asi akachengetedza Nowa muparidzi oururami navamwe vanhu vanomwe, paakaunza mafashamo emvura panyika yavanhu vasinganamati Mwari, Mwari akasandura maguta eSodhomu neGomora kuaita dota achiatsakatisa achiaita muenzaniso wezvichaitika kuna vasinganamati Mwari. Akanunura Roti mururami akanga aodzwa mwoyo zvikuru nounzenza hwavakaipa, nokuti mururami uyu zvaakaona nezvaakanzwa paaigara mukati mavo akashungurudzwa zuva nezuva mumweya wake wakarurama pamusana pezviito zvavo zvisina murao. Nezvo, Tenzi anoziva kununura vanamati pazviedzo uye kuchengeta vasakarurama vari pachirango kusvikira pazuva rokutongwa zvikuru avo vanofarira havi dzinosvibisa uye vanoshora ukuru hwaMwari. Vanoshora nechivindi vembiri vaya vachida vachiziva uye vasingatyi, asi vatumwa kunyange vaiva nesimba noukuru kupinda ivo havana kuvapa mhosva vachivashora pamberi paTenzi asi ivo, vachaparadzwa zvimwechetezvo navo sokunge mhuka dzisingafungi uye sezvisikwa zvisina pfungwa zvakazvarirwa kubatwa zvichiuraiwa. Vanoshora mune zvavasingazivi. Vachatambudzika nokuda kwezviito zvavo zvakaipa. Vanoona zvichivafadza kuita zvamafaro masikati machena. Ivo mavara etsvina nezvinokushoresai vachitamba kudaro zvisina tsarukano pavanenge vachidya nemi. Ziso ravo riri kunezvoupombwe, vane meso asingaguti kutadza. Vanofurira vanhu vasina kunyatsosimba. Vane mwoyo yakadzidziswa makaro. Vanhu vakarengererwa rushambwa. Vakasiya nzira kwayo vakatetereka votevera nzira yaBhiriamu mwana waBheori aida kuzvipfumisa nokuda zvakaipa. Asi akatsiurwa pakukanganisa kwake. Dhongi risingatauri rakataura nezwi romunhu rikadzora muporofita pakupenga kwake. Ava zvisipiti zvisina mvura nemhute inovhuvhutwa nedutu, chavo chavakachengeterwa izarima rapasi pasi. Nokuti vanotaura mazwi makuru oupenzi vachishandisa muviri wavo zvinonyadzisa zvoruchiva rwenyama kuti vateye vanhu vari kutotangisa kupunyuka vachibva muvanhu vakarasika. Vanovatsidzira rusununguko asi ivo vari varanda vokuora, nokuti munhu anokundwa nechinhu anova muranda wechinhu ichocho. Nokuti kana vapunyuka zvinosvibisa panyika pamusana pokuziva Tenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu, vanobatwazve nazvo nokukurirwa nazvo. Magumo avo anoipa kupinda aya. Zvaitova nani kwavari dai vakanga vasina kumboziva zvavo nzira yoururami panze pokuiziva vozodzokera shure vachibva kumutemo unoera wavakapiwa. Zvinorehwa netsumo zvinenge zvava zvechokwadi zvinoti: “Imbwa inodya marutsi ayo. Uye Nguruve inenge yashambidzwa inoenda kundoumburuka mumatope.” Vadikanwi iyi ndiyo tsamba yechipiri ndichikunyorerai. Uye madziri dzose dziri mbiri, ndakamutsa mamuri mafungiro akarurama nokukuyeuchidzai kuti muyeuke zvakafanotaurwa navaporofita vatsvene nomutemo waTenzi, Muponesi, waakapa nokuvapositori venyu. Pokutanga, nzwisisai izvi zvokuti, mumazuva okupedzisira kuchauya vanhu vanonyomba vachitevera havi dzavo vachikutii, “Ko zvaakatsidza kuti achauya, ko achauya rini. Chinguri chakafa madzitateguru zvinhu zvose zviri kungoenderera mberi sezvazvakanga zvakangoita kubvira pasi pachitanga kusikwa. Vanoramba, ivo vachiziva zvavo kuti matenga akavapo kare kare nokuda kwezwi raMwari uye kuti pasi pakaitwa pachibva mumvura uye pachishandiswa mvura.” Yakaita kuti nyika yakanga iripo ifukidzwe nemvura ikaparara. Asi nezwi rimwechetero denga napasi zviripo iye zvino, zvakachengeterwa kuti zvipiswe nomoto. Zvakachengetwa kusvika pazuva rokutonga, zuva rokuparadzwa kwavasinganamati Mwari. Asi musakanganwe izvi, vadikanwi, zvokuti, pana Tenzi, zuva rimwechete rakangoita sechuru chamakore uye kuti churu chamakore chakangoita, sezuva rimwechete. Tenzi haanonoki nezvechitsidzo chake sokufunga kunoita vamwe, asi ari kutoita mwoyo murefu kwamuri asingadi kuti ani naani zvake aparare asi kuti vose vasvike pakutendeuka. Asi Zuva raTenzi richauya sembavha. Ipapo matenga achapfuura neruzha rukuru, zvomudenga zvichashikitiswa nomoto uye nyika nezvose zvakaitwa pairi zvichapiswa. Zvino zvinhu zvose izvi zvazvichaparadzwa kudai, munosungirwa kuva vanhu vakaita sei pakuva vatsvene napakunamata kwenyu Mwari makamirira muchisuwira kuuya kweZuva raMwari richazoita kuti matenga abatire moto agoparadzwa uye zvomudenga zvichanyungurutswa nomoto. Asi maererano nechitsidzo chake tinomirira denga idzva nenyika itsva, ururami muri imo mumusha mawo. Naizvozvo vadikanwi, sezvamuri kumirira izvi, vavarirai kwazvo kuti akuwanei musina kana kavara kana chinoshoreka uye mune rugare. Torai mwoyo murefu waTenzi wedu soruponeso. Ndizvowo zvamakanyorerwa nehama yedu Paurosi maererano noungwaru hwaakapiwa, achitaura nezvazvo mutsamba dzake dzose. Madziri mune zvimwe zvinhu zvakaoma kunzwisisa zvinominamiswa navasina ruzivo navasina pavo zvichizovaparadza sezvavanongoita namamwe Magwaro Matsvene. Naizvozvo imi vadikanwi zvamunoziva izvi nakare, chenjerai mungadaro mukateteretswa nokukanganisa kwavanhu ivavo vasina mutemo muchirasikirwa nechamakasimba nacho. Asi rambai muchingokura munyasha noruzivo rwaTenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu. Iye ngaarumbidzwe zvino nokusingaperi. Ameni. Iye uya aivapo kubvira pakutanga, uya watakanzwa tikatoonawo namaziso edu, iyeyo watakatarisa, tikamubatawo namaoko edu, ndiyeyo anonzi Izwi, muridzi woupenyu. Upenyu ihwohwo hwakaratidzwa pachena tikahuona uye tinohupupurira tichiparidzawo kwamuri. Upenyu ihwohwo husingaperi hwaiva naBaba hwakaratidzwa kwatiri. Watakaona tikanzwa uya, ndiyeyo watiri kukuparidzai kuti imi muve noukama hwakanaka nesu. Ukama hwatinahwo isu hukama naBaba naMwanakomana wake, Jesu Kristu. Tiri kunyora izvi kuti rufaro rwedu rwuzare. Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari ratinokuparidzaiwo rokuti, Mwari chiedza uye kuti maari hamuna kana rima zvaro. Kana tikati tino ukama hwakanaka naye isu tichifamba murima tinoreva nhema uye tisingatevedzi chokwadi. Asi tikafamba muchiedza saiye ari muchiedza, tine ukama hwakanaka pakati pedu uye ropa raJesu Mwanakomana wake rinotisuka kuzvitadzo zvose. Kana tikati hatisi vatadzi tinozvinyengedza uye chokwadi hachisi matiri. Tikareurura zvitadzo zvedu iye anotendeka uye akarurama, anotiregerera zvitadzo zvedu achitichenesa kuunyangadzi hwose. Kana tikati hatitadziri Mwari tinomuita munyepi uye izwi rake harisi matiri. Vanangu ndiri kukunyorerai izvi kuti murege kupara chitadzo. Asi mumwe wenyu akaita chitadzo tino murevereri pana Baba, iye Jesu mururami. Ndiyezve akatiripira zvitadzo zvedu; kwete zvitadzo zvedu zvoga asi nezvitadzowo zvapasi pose. Chinoratidza kuti tinomuziva, kuchengeta mitemo yake. Munhu anoti ndinomuziva iye asingachengeti mitemo yake, munyepi uye chokwadi hachisi maari. Asi anochengeta shoko rake, maari rudo rwaMwari runobva rwanyatsozadzikiswa. Izvozvo ndizvo zvinobva zvatiratidza kuti takabatana naye. Munhu anoti ndinogara ndakabatana naye, anofanira kutevedzawo nzira yaakafamba nayo. Vadikanwi, handisi kukunyorerai mutemo mutsva asi mutemo wapasi chigare, wamaingova nawo kubva pakutanga. Mutemo wakare uya ndiwo shoko ramakanzwa. Kunyange zvakadaro zvazvo asi ini ndiri kukunyorerai zvakare mutemo mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uyewo mamuri, nokuti rima riri kupfuura, chiedza chechokwadi chava kutopenya. Munhu anoti ndiri muchiedza asi iye achivenga hama yake, achiri murima. Anoda hama yake ari muchiedza; machiri hamuna chinomugumbura. Asi munhu anovenga hama yake, ari murima uye ari kufamba murima uyewo haasi kuziva kwaari kuenda, nokuti rima rakamupofomadza maziso. Ndiri kukunyorerai vanangu, nokuti zvitadzo zvenyu zvakaregererwa muzita rake. Ndiri kukunyorerai imi madzibaba nokuti munomuziva iye akanga aripo kubvira pakutanga. Ndiri kukunyorerai imi vechiduku nokuti makakunda muipi. Ndiri kukunyorerai imi vana nokuti munoziva baba. Ndiri kukunyorerai imi madzibaba nokuti munoziva iye akanga ari pakutanga. Ndiri kukunyorerai imi vechidiki nokuti makasimba uye nokuti izwi raMwari rinogara mamuri uyezve nokuti makakunda muipi. Usatorwe mwoyo nenyika kana nezvinhu zvenyika. Kana munhu akada nyika kuda Baba hakumo maari nokuti zvose zviri panyika zvinoti: ruchiva rwenyama nemesomeso, kana kuzvikudza paupenyu, hazvibvi kuna Baba, zvinobva kunyika. Nyika iri kupfuura pamwechete nehavi dzayo asi uyo anoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi. Vanangu, ino yava nguva yokupedzisira uye sokunzwa kwamakaita kuti mhandu yaKristu iri kuuya, saizvozvowo parizvino mhandu zhinji dzaKristu dzakatouya. Naizvozvo tinoziva kuti ino yava nguva yokupedzisira. Vakabva mukati medu, asi vakanga vasiri vamwe vedu nokuti dai vakanga vari vedu, vangadai vakaramba vanesu. Asi vakabva mukati medu kuti zvibude pachena kuti, vose zvavo, havasi vedu. Asi imi makazodzwa naiye Mutsvene imi mose munozviziva. Ndinokunyorerai, kwete, nokuti hamuzivi chokwadi asi nokuti munochiziva uye nokuti hakuna manyepo anobva muchokwadi. Ndiani munyepi? Kusiya uyo anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Iyeyo ndiyo mhandu yaKristu nokuti anoramba Baba naMwanakomana. Wose anoramba Mwanakomana, Baba haanavowo. Wosewo anobvuma Mwanakomana, Baba anavowo. Regai zvamakanzwa pakutanga zvirambe zviri mamuri. Kana zvamakanzwa kubvira pakutanga zvikaramba zviri mamuri ipapo imi mucharamba muina Mwanakomana uye muina Babawo. Upenyu husingaperi ndicho chitsidzo chaakatitsidzira. Ndiri kukunyorerai izvi nezvevavo vangakunyengedzei. Mweya Mutsvene wamakazodzwa naye, anoramba ari mamuri. Hazvichisina basa kwamuri kuti muve neanokudzidzisai, nokuti iye wamakazodzwa naye anokudzidzisai uye ndewechokwadi ari pachokwadi haarevi nhema sokukudzidzisai kwaakakuitai, rambai muinaye. Zvino vanangu, garai makabatana naye kuti kana iye ozviratidza tive nechivimbo. Tirege kunyara pakuuya kwake. Kana muchiziva kuti iye akarurama munofanira kunyatsoziva kuti munhu wose anoita zvakanaka akaberekwa naye. Tarisai muone kuti rudo rwakadii rwatakaitirwa naBaba, rwokuti tinzi vana vaMwari uye ndizvo zvatiriwo izvozvo. Chinoita kuti pasi pasatizive ndechokuti hapana kumuziva. Vadikanwi izvozvi tiri vana vaMwari. Zvatichava hazvisati zvavakuonekwa. Asi zvatinoziva ndezvokuti kana iye ozviratidza, tichange takafanana naye nokuti tichamuona sezvaari. Munhu wose ane chitarisiro maari kudai anozvichenesa nokuti iye mutsvene. Munhu wose anopara chitadzo, kushaya mutemo kwomunhu iyeyo. Kupara chitadzo, kushaya mutemo ikoko. Munoziva kuti Jesu akazviratidza kuti abvise zvitadzo uye maari hamuna chitadzo. Hapana anogara akabatana naye anoita zvitadzo. Munhu anoita chitadzo, haasati ambomuona kana kumuziva. Vanangu, musanyengedzwe nomunhu; munhu anoita zvakanaka, mururami, sezvakangoitawo Jesu mururami. Munhu anoita chitadzo, ndowaSatani nokuti Satani aingotadzira Mwari kubvira pakutanga. Chikonzero chakaita kuti Mwanakomana waMwari azviratidze ndechichi chokuti aparadze mabasa aSatani. Hapana munhu akaberekwa naMwari anoita chitadzo nokuti mhodzi yaMwari inogara maari. Haakwanisi kutadzira Mwari nokuti akaberekwa naMwari. Izvozvi ndizvo zvinotiratidza pachena kuti vana vaMwari ndavapi uye kuti vana vaSatani ndavapi. Munhu wose asingaiti zvakarurama, haasi waMwari ndizvo zvimwechetezvo nomunhu asingadi hama yake. Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubvira pakutanga, rokuti tinofanira kudanana tirege kuita saKaini akanga ari womuipi uya akaponda munun'una wake. Akamuponderei? Nokuti zviito zvake zvakanga zvakaipa asi zvomunun'una wake zvakanga zvakanaka. Hama musashamisike kana pasi pachikuvengai. Inga isu tinoziva wani kuti takabva kurufu tichienda kuupenyu nokuda vehama kwatinoita. Munhu asina rudo anogara ari murufu. Munhu anovenga mumwe wake imhondi uye munoziva kuti mhondi haina upenyu husingaperi hunogara mairi. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo chinonzi rudo, zvokuti akapira upenyu hwake pamusana pedu, isuwo tinofanira kuparadza upenyu hwedu nokuda kwavamwe vedu. Ngatitii munhu ane upfumi hwapanyika akaona mumwe wake asina chokubata iye womuomesera mwoyo pakadaro rudo rwaMwari runganzi ruri maari sei? Vanangu ngatiregei kungodana zvapamuromo kana zvokungobatana kumeso asi muzviito nomuchokwadi. Izvozvi ndizvo zvinotizivisa kuti tiri pachokwadi uye zvinotigadzanisa mwoyo pamberi pake kana hana dzedu dzotipomera mhosva, nokuti Mwari mukuru pane hana dzedu uye anoziva zvose. Vadikanwi kana hana dzedu dzisingatipi mhosva tine chivimbo pamberi paMwari. Tinopiwa naye zvose zvatinokumbira nokuti tinochengeta mitemo yake tichiita zvinomufadza. Mutemo wake ndouya wokuti: Tinofanira kutenda muzita roMwanakomana wake Jesu Kristu uye kudanana sokutiudza kwaakaita. Vose vanochengeta mitemo yake vanogara vakabatana naye iyewo akabatanawo navo. Izvi ndizvo zvinotizivisa kuti iye akabatana nesu, zvokuti akatipa Mweya Mutsvene. Vadikanwi regai kungotenda mweya wose wose, asi edzai mweya iyoyo muone kuti inobva kuna Mwari here nokuti vaporofita venhema vazhinji vapararira nenyika. Zvamunoziva nazvo Mweya waMwari ndezvizvi: Mweya wose unopupura kuti, Jesu Kristu akauya nomuviri, ndowaMwari. Mweya wose usingapupuri izvozvi nezvaJesu, hausi waMwari. Uyu ndiwo mweya wemhandu yaKristu wamakambonzwa kuti uri kuuya iye zvino watova pasi pano. Vanangu imi muri vanhu vaMwari, imi makatovakurira Nokuti iye ari mamuri mukuru kupinda satani ari pasi pano. Ivo ndevepasi pano naizvozvo zvavanotaura ndezvapasi pano uye nyika inovateerera. Isu tiri vanhu vaMwari, anoziva Mwari anotiteerera, asiri waMwari haatiteereri. Izvozvi ndizvo zvinotiratidza mweya wechokwadi nomweya usiri wechokwadi. Vadikanwi ngatidananei nokuti rudo runobva kuna Mwari. Munhu wose ano rudo akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Asina rudo haazivi Mwari nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa pakati pedu nezvizvi zvokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake mumwechete pasi pano kuti tiraramiswe naye. Urwu ndirwo rudo sezvarwuri izvi kwete rwokuti isu ndisu takada Mwari asi rwokuti iye ndiye akatida. Akatitumira Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chokupfupira zvitadzo zvedu. Vadikanwi, kana Mwari akatida zvakadai isuwo tinofanira kudanana. Hapana munhu ati amboona Mwari asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri uye rudo rwake matiri runobva rwazadziswa zvokuperera. Zvatinoziva nazvo kuti tigere takabatana naMwari uye kuti Mwari agere abatana nesu ndezvizvi zvokuti iye akatipa Mweya wake. Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma mwanakomana wavo somununuri wapasi. Munhu wose anopupura kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari iye anogarawo muna Mwari. Saizvozvo tinoziva uye tinotenda murudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo; munhu anogara murudo anogarawo muna Mwari Mwariwo anoramba ainaye. Muna izvozvi, rudo runobva rwazadzikiswa zvokuperera matiri kuti tive neruvimbo pamusi wokutongwa, nokuti zvaari ndizvowo zvatiri pasi pano. Pane rudo hapana kutya uye rudo rwakaperera runodzinga kutya nokuti uyo anotya anenge achitya kurangwa. Munhu anotya kurangwa rudo rwake haruna kuperera. Isu tine rudo nokuti akatanga kutida. Kana munhu achiti anoda Mwari asi achivenga mumwe wake, munyepi nokuti asingadi mumwe wake waanoona, haangakwanisi kuda Mwari waasati amboona. Mutemo watinawo unobva kwaari ndouyu unoti: Munhu anoda Mwari anofanirawo kuda mumwe wake. Munhu wose anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, mwana waMwari. Munhu anoda mubereki anodawo mwana waanobereka. Chatinoziva nacho kuti tinoda vana vaMwari, kuda Mwari nokuteerera mitemo yake. Kuda Mwari kunoreva kuchengeta mitemo yake uye mitemo yake hairemi nokuti mwana wose waMwari anokunda nyika. Chinhu chinokunda pasi ndechichi, chitendero chedu. Ndiani anokunda pasi kana asiri uyo anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari. Jesu Kristu ndiye akauya nemvura neropa kwete nemvura chete asi nemvura neropa. Mweya ndiye chapupu nokuti Mweya ndiye chokwadi. Kune zvapupu zvitatu zvinoti Mweya neropa nemvura. Zvose zviri zvitatu zvinowirirana. Kana tichigamuchira uchapupu hwavanhu, ko kutozoti hwaMwari, hukuru kupinda hwavanhu. Ihwohwu ndihwo huchapupu hwaMwari hwaakaita kuMwanakomana wake. Munhu anotenda muna Mwanakomana waMwari ano uchapupu ihwohwo maari, uyowo asingatendi muna Mwari anomuita munyepi nokuti anenge asina kutenda muuchapupu hwaakaita kuMwanakomana wake. Uchapupu hwacho ndohwuhwu hunoti: Mwari akatipa upenyu husingaperi upenyu ihwohwo huri muMwanakomana wake. Munhu anenge ana Mwanakomana ano upenyu anenge asina Mwanakomana waMwari haanawo upenyu. Ndiri kukunyorerai imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuti muzive kuti muno upenyu husingaperi. Ruvimbo rwatinarwo naye ndorwurwu rwokuti kana tikamukumbira chii zvacho chinowirirana nokuda kwake anotinzwa. Kana tichiziva kuti anotinzwa pane zvose zvatinomukumbira, izvozvo ndizvo zvatinoziva nazvo kuti kana tikakumbira chinhu kwaari tatochiwana kare. Kana munhu akaona mumwe wake achiita chitadzo chisingaurayi anogona kumunamatira. Mwari anobva apa mutadzi iyeyo upenyu kwete anenge apara chitadzo chinouraya. Kune chitadzo chinouraya. Handisi kuti munhu anamatire mumwe panaizvozvo. Kuita kwakaipa kwose chitadzo. Asi kune chitadzo chisingaurayi. Tinoziva kuti munhu anenge ari mwana waMwari haaiti chitadzo. Asi uyo akaberekwa naMwari, Mwari anomuchengetedza. Saizvozvo muipi uya haambomubatabati. Tinoziva kuti tiri vanhu vaMwari. Pasi pose pari mumaoko omuipi uya. Asi tinoziva kuti Mwanakomana waMwari akauya uye akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi. Isuwo tiri muna iye wechokwadi. MuMwanakomana wake Jesu Kristu iyeyu ndiMwari wechokwadi uyezve iye upenyu husingaperi. Vanangu chenjererai vamwari vasirivo. Ini mukuru wesangano, ndinokunyorerai imi amai makasarudzwa. Ndinokunyorerai imi pamwechete navana venyu musangano, imi vapamwoyo chaivo, kwete kwandiri chete, asi vapamwoyowo kuvanhu vose vanoziva chokwadi pamusana pechokwadi chinogara matiri uye chichagara matiri nokusingaperi. Nyasha netsitsi norugare ngazvive nesu zvichibva kuna Mwari Baba uye kuna Jesu Kristu Mwanakomana waBaba muchokwadi uye murudo. Ndakafara kwazvo kuona vamwe vana venyu vachitevera chokwadi sokuudzwa kwatakaitwa naBaba. Zvino ndinokukumbirai mai, kwete sokunge ndiri kukunyorerai nezvomutemo mutsva asi mutemo watakanzwa kubvira pakutanga wokuti tinofanira kudana. Chinonzi rudo ndechichi chokuti, tinofanira kuchengeta mitemo yake. Mutemo wacho, sokunzwa kwamakaita kubvira pakutanga, ndowokuti munofanira kutevedza upenyu hworudo. Ndinodaro nokuti vanyengedzi vakawanda vapararira nenyika. Vanhu ivavo havabvumi kuti Jesu Kristu akauya somunhu. Munhu akadaro ndiye munyengedzi uya, uye ndiye mhandu yaKristu. Zvichenjererei kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira asi kuti muwane mubayiro uzere. Ani naani anowedzera zvomusoro wake asingarambe ari mune zvinodzidziswa naKristu, haana Mwari. Munhu anoramba ari mune zvinodzidziswa naKristu ana Baba naMwanakomana. Kana mumwe munhu akauya kwamuri aine chidzidziso chakasiyana nechichi musamupinze mumba kana kumukwazisa nokuti anomukwazisa anodyidzana naye mubasa rake rakaipa. Kunyange zvazvo ndiine zvakawanda zvokukunyorerai ndinosarudza kusashandisa pepa neingi. Ndinovimba kuti ndichauya ndozokuonai tozotaurirana tichionana uso nouso kuti kufara kwedu kunyatsozara kuti tuba. Vana vomunun'una wenyu, akasarudzwa naMwari vanokukwazisai. Ini mukuru wesangano, ndinokunyorera iwe Gayusi wandinoda wapamwoyo pangu zvechokwadi. Mudikanwi, ndinonamata kuti dai waro zvinhu zvose zvangokufambira zvakanaka uye kuti uve noutano hwakanaka. Ndine chokwadi chokuti pane zvomweya wako, muchete. Ndakafara zvikuru vamwe vedu pavakasvika vachipupurawo nezvechokwadi chiri mauri sokutevedzawo kwaunoita idi zviri pachokwadi. Hapana chingandifadze kupfuura izvi zvokunzwa kuti vana vangu vari kutevedza chokwadi. Mudikanwi, chinhu chakatendeka chaunoita chokubatsira kwaunoita vamwe vedu, zvikuru kuvaenzi. Ivowo vakapupura nezvorudo rwako kusangano. Chingave chinhu chakanaka kuvabatsira kuenderera mberi nerwendo rwavo nomutowo unofadza Mwari. Chakaita kuti vapinde munzira, izita iroro uye hapana chavakatambira kubva kuna vasiri vanamati. Naizvozvo isu tinofanira kutsigira vanhu vakadai tive vashandipamwe muchokwadi. Pane zvandakanyora kusangano asi Dhiotirefesi uyo anoda kuzviita mutungamiri, haandioni somutungamiri. Naizvozvo kana ndauya ikoko ndichavhundunyura zvaari kuita, zvokufambisa makuhwa nezvangu. Pamusoro paizvozvo anoramba kugamuchira vamwe vedu achirambidzawo vamwe kuvagamuchira achitovadzinga musangano. Mudikanwi, usatevedzere uipi asi tevedzera zvinhu zvakanaka. Munhu anoita zvakanaka munhu waMwari. Anoita zvakaipa haana kuona Mwari. Dhemetiriusi munhu anoyemurika kuvanhu vose uye achipupurirwa nechokwadi pachacho. Neniwo ndinomupupurira. Iwe unoziva kuti kupupura kwangu ndekwechokwadi. Ndanga ndine zvizhinji zvokukunyorera asi handingadi zvangu kukunyorera nepeni neingi. Ndinovimba kuti ndichakuona nokukurumidza. Ipapo tichazotaurirana takatarisana uso nouso. Rugare ngaruve newe. Muri kukwaziswa neshamwari. Undikwazisirewo shamwari dzose uchidzidoma namazita. Ndini Judha muranda waJesu Kristu munun'una waJakobho ndinokunyorerai imi makadaidzwa, vapamwoyo paMwari Baba imi makachengeterwa Jesu Kristu. Dai mangoramba muchingoitirwa tsitsi muchidiwa zvikuru kwazvo. Vadikanwi pandaiva neshungu dzokukunyorerai nezvoruponeso rwedu tose, ndakaona chiri chinhu chinofanira kuitwa chokuti ndikunyorerei ndichikukumbirai kuti murwirewo chitendero chakapiwa chakamwe kuvatsvene. Pana vamwe vanhu vakapinda pakati penyu zvomuchivande. Vanhu ivavo vakatemerwa kare kare kurangwa kwavo ikoko. Vanhu vasiri vatendi vaMwari vanosandura nyasha dzaMwari wedu kuti vawane maitiro ounzenza vachiramba Changamire naTenzi wedu mumwechete, Jesu Kristu. Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange makambonyatsozviziva kwazvo kuti iye akambonunura rumwe rudzi kubva kunyika yeIjipiti akazoparadza vakanga vasingatendi. Uye vatumwa vaya vakasiya chinzvimbo chavo choukuru ukuru vakasiya nzvimbo yavo chaiyo vakasungwa nengetani dzinogara nokusingaperi munzvimbo yerima kusvikira pakutongwa kwezuva guru. Sezvakangoita Sodhomu neGomora namaguta akaatenderedza, akaita zvimwechetezvo kuita upombwe vakaitawo zvisina maturo vakave muenzaniso nokurangwa kwavakaitwa nokurohwa nemoto usingaperi. Nenzira imwecheteyo, vanhu ava, mune zvavanorotswa, vanon'oresa miviri yavo vachiramba kuteerera vakuru nokushonha vaya vembiri. Kunyange Mikaeri mutumwa mukuru paaikakavadzana naDhiabhori, pavaiitirana nharo kuti ndiani achatora chitunha chaMosesi, haana kutaura namazwi okushora achimupa mhosva asi akati, “Tenzi ndiye achakupa mhosva.” Asi vanhu ava vanoshora zvose zvavasinganzwisisi uye vanoparadzwa nezvinhu zvavanonzwa mavari sezvinongoita mhuka dzisingafungi. Hameno zvavo! Vakatevera gwara raKaini vakazvipinza mukukanganisa kwaBhiriamu pamusana pokuda kuzvipfumisa vachizoparadzwa mukupanduka kwaKora. Vanhu ivava munzwa mundove pamabiko enyu orudo vanosasana pamwechete zvisina nyadzi. Chavo kuzvifunga ivo pachavo. Makore zvawo asina mvura anongopeperetswa nemhepo, miti yokupera kwamatsutso isina muchero yakafa kaviri, yakadzipurwa. Mafungu egungwa asina pawo vanopupuma furu renyadzi dzavo, inyenyedzi dzinodzungaira dzamisirwa nokusingaperi, nyika yerima iri pasi penyika. Ndivava vakaporofitwa naInoki muchizvarwa chechinomwe kubva kuna Adhamu achiti, “Hoyo Tenzi ari kuuya achiperekedzwa nezviuru zvavatsvene vake kuzotonga vanhu vose nokuzopa mhosva vasiri vatendi vaMwari, mhosva yezviito zvavo zvose zvisina Mwari zvavakaita namaitiro asina Mwari nemhosva dzose dzehasha dzaiitwa kwaari navasiri vatendi. Vanhu ivava vanhu vokunyunyuta vasingagutsikani, vanoita zvinoda havi dzavo, vanamupoperi vokuzvikudza, vanorumbidza vanhu zvokuvabata kumeso vachida zvavanoda kuwana.” Asi munofanira kuyeuka hama dzangu zvakafanotaurwa navapositori vaTenzi wedu Jesu Kristu. Vakati kwamuri: “Mumazuva okupedzisira kuchava navadadi vanotevedza mapangiro avo asina zvaMwari.” Vanhu ivavo imharadzi dzavanhu, vanhu venyika vasina Mweya. Asi imi hama dzangu ibvai mazvivaka pachitendero chenyu chinoera kwazvo kwazvo. Namatai muina Mweya Mutsvene. Rambai muchingodana naMwari. Rambai makangotarisira kuti Tenzi Jesu Kristu achakuitirai nyasha dzinokusvitsai kuupenyu husingaperi. Itirai ngoni vanokahadzika mununure vamwe vavo nokuvabura muchoto. Vamwe vaitirei zvenyu tsitsi asi muchivatya, muchitovenga kunyange hanzu dzavo dzakaita mavara mavara nokutadza, dzakasvibiswa nemiviri yavo. Zvino kuna iye anokwanisa kukuchengetedzai musina kuputsika achikusvitsai musina chinoshoreka muchifara paari mumbiri yake kuna iye Mwari mumwechete Mununuri wedu nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu ngakuve nembiri, noukuru, nesimba nechiremera sezvakanga zviripo nakare kose, zviripo iye zvino uye nokusingaperi. Ameni. Izvi ndizvo zvakaratidzwa naJesu Kristu zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake, zvichaitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira mutumwa wake kumuranda wake Johani uyo akapupurira izwi raMwari, akapupurawo uchapupu hwaJesu uye zvose zvaakaona. Akakomborerwa zvake uyo anoverenga mazwi okuporofita aya. Vakakomborerwawo vanonzwa uye vanochengeta zvakanyorwamo nokuti nguva yavapedyo. Ndini Johani ndinokunyorerai imi masangano manomwe okuAsia ndichiti: Dai chikomborero chokuitirwa nyasha nokuwaniswa rugare changova nemi chichibva kuna iye aripo, akanga aripo uye achazovapo, uyewo chichibva kumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choumambo, uyezve chichibva kuna Jesu mupupuri akatendeka, dangwe ravafi, mutongi wamadzimambo apanyika. Iyeyu anotida, akatisunungura kuzvitadzo zvedu neropa rake akaita kuti tive umambo, uye kuti tive vapristi kuna Mwari wake nababa vake, iye ngaawaniswe mbiri nokutonga narini narini. Ameni. Hezvo achauya ari mumakore. Ziso rose richamuona nomunhu wose akamubaya uye marudzi ose apasi pano achamuchema zvikuru. Ngazvive saizvozvo. Ameni. Ndini Arifa naOmega ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari, iye aripo, akanga aripo uye achazovapo, iye Samasimbaose. Ndini Johani hama yenyu ndinoshamwaridzana nemi muna Jesu munhamo uye tiri pasi poumambo humwechete uyezve mukutsungirira kutirira. Ndakanga ndiri pachitsuwa chinonzi Patimosi pamusana peshoko raMwari uye pamusana pokupupurira Jesu. Ndaiva naMweya pazuva raTenzi ndikanzwa necheshure kwangu kurira kukuru kunenge kwebhosvo richiti, “Nyora mubhuku zvauchaona uzvitumire kumasangano manomwe aya anoti, reEfesusi nereSimuna nerePerigamumu nereTiatira nereSadhisi nereFiradefia nereRaodhekia.” Ndipo pandakatendeuka kuti ndione kuti izwi rani raitaura neni. Pandakatendeuka ndakaona zvigadzikiro zvomwenje zvendarama zvinomwe. Pakati pezvigadzikiro zvinomwe zviya ndakaona akaita soMwanakomana womunhu akanga akapfeka gemenzi rakareba nomudya wendarama padundundu pake. Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zvakachena sewuru chena, uye zvakachena samazaya echando. Maziso ake akanga akaita serimi romoto. Tsoka dzake dzakanga dzakaita somundarira wakakwenenzverwa mubisiro zvokutsvedzerera, izwi rake richiita seruzha rwemvura zhinji. Muruoko rwake rworudyi akanga akabata nyenyedzi nomwe. Mumuromo make makabuda bakatwa romucheka kose rinopinza, uso hwake hwaiita sezuva huchibwinya zvikuru. Pandakamuona ndakawira pasi patsoka dzake sokunge ndafa, asi iye akaisa ruoko rwake rworudyi pandiri achiti, “Usatye, ndini Wokutanga noWokupedzisira. Ndini mupenyu uya, hongu ndakambofa zvangu asi tarisa uone ndava mupenyu nokusingaperi uye ndine kii dzorufu nedzokunzvimbo yavafi. Zvino chipota uchinyora zvaunoona zviripo nezvichazovapo. Pane zvechakavandika ichi, chezvenyenyedzi nomwe, dzawaona muruoko rwangu rworudyi nezvigadzikiro zvinomwe zvendarama; nyenyedzi nomwe ndivo vatumwa vamasangano manomwe, zvigadzikiro zvinomwe ndiwo masangano manomwe.” “Nyorera mutumwa wesangano rokuEfesusi, mazwi ouyo akabata nyenyedzi nomwe muruoko rwake rworudyi uye anofamba mukati mezvigadzikiro zvomwenje zvinomwe zvendarama uti: “ ‘Ndinoziva mabasa ako ndinozivawo kushingaira kwako nebasa nokutirira kwako uye kuti haufarirani navanhu vakaipa. Wakaedza avo vanozviti vapositori ivo vasiri ukavaona kuti ndevenhema. Ndinoziva kuti uri kutirira chinyararire, uchitirira zvako pamusana pezita rangu uye usingamboneta. Asi chandinovenga mauri ndechichi, chokuti wakakanda pasi rudo rwawaiva narwo pakutanga. Naizvozvo rangarira pawakakoromoka upinduke uite mabasa awaiita pakutanga. Kana usina kuita saizvozvo, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadzikiro chomwenje wako panzvimbo pacho kusatoti watendeuka. Zvimwe zvimwewo zvazvo, chako chaunacho ndechokuti unovenga mabasa avateveri vaNikoraitesi andinovengawo uyo ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa mvumo yokudya muti woupenyu uri muparadhiso yaMwari.’ “Nyorera mutumwa wesangano rokuSimuna, mazwi owokutanga nowokupedzisira, akafa asi akazomuka. Nhamo dzako ndinodziziva nourombo hwako ndinouziva; asi iwe uri mupfumi zvako uye ndinoziva kureverwa makuhwa kwaunoitwa navavo vanozviti tiri vaJudha asi ivo vasiri, chavari chaicho isangano raSatani. Usatye matambudziko awava kupinda. Hezvo Dhiabhori ava kuzokanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe. Kwamazuva gumi muchapinda mupfumvu. Rambai makatendeka kusvikira pakufa. Ini ndichakupai mubayiro wechiremba choupenyu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda, rufu rwechipiri haruna charunomuita. “Nyorera mutumwa wesangano rokuPerigamumu mazwi ouyo ane bakatwa romucheka kose uti, ‘Maunogara ndinomuziva, mumuzinda waSatani wakaramba wakangoti kwati — kwati nezita rangu. Hauna kukanda pasi chitendero changu kunyange pamazuva aAntipasi mupupuriri wangu. Munhu wangu akatendeka, uya akauraiwa pakati penyu mumusha imomo maSatani.’ Asi ndine zvimwe zvishomanana zvandisingadi pauri. Ikoko muna vamwe vanotevera chidzidziso chaBharamu akarairidza Bharaki kufurira vaIsiraeri kuchitadzo kuti vadye chokudya chakanga chapirwa kuzvifanananidzo uye kuita unzenza. Uyezve una vamwe vanotevera zvidzidziso zvevekwaNikoraitesi. Nezvo pinduka; pasina izvozvo, ndichakuvinga ndizovarwisa nebakatwa romuromo wangu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo dombo jena nezita idzva rakanyorwa padombo iroro, zita risina anoriziva, kusiya iyeyo chete anenge arigamuchira. “Nyorera mutumwa wesangano rokuTiatira mazwi oMwanakomana waMwari ana maziso anenge rimi romoto anamakumbo akaita sendarira yakakwenenzverwa. Ndinoziva mabasa ako norudo rwako nechitendero chako nokushanda kwako nokutirira kwako uye kuti mabasa ako okupedzisa anokunda okutanga. Asi chandisingadi pauri ndechichi chokuti unoregerera mukadzi uyu Jezebhero anozviti muporofitakadzi asi achidzidzisa nokufurira varanda vangu kuita ufeve nokudya chokudya chakapirwa kuzvifananidzo. Ndakamupa nguva yokuti apinduke asi ari kuramba kusiyana nounzenza hwake. Ndichamurarisa pasi nedenda, naavo vanoita ufeve naye ndichavapinza mudambudziko rinorwadza kusatoti vasiyana nezviito zvake. Vana vake ndichavaparadza norufu. Masangano ose ndipo paachaziva kuti ndini ndinoongorora pfungwa nemwoyo womunhu uye ndichakupai, mumwe nomumwe wenyu, maererano nezviito zvake. Asi kunemi vamwe mose muri muTiatira imomo, vasingatenderani nechidzidziso ichi, vasina kudzidza zvinonzi navanhu zvakadzama zvaSatani, ndinoti kwamuri ini handichakuremedzai nomumwe mutoro asi kuti batisisai zvamuinazvo kusvikira ndauya. Uyo anokunda uye anoramba ari pabasa rangu kusvikira pakupedzisira, ndichaita kuti vechirudzi vave mumaoko ake. Iye achavatonga akavabatira shamhu yesimbi achivapwanya zvokuti mwarara sehari dzevhu sokugamuchira kwandakaitawo simba kubva kuna Baba vangu. Uye ndichamupa nyenyedzi yorungwanani. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.” “Nyorera mutumwa wesangano rokuSadhisi “Mazwi ouyo ane mweya minomwe yaMwari uye ane nyenyedzi nomwe uti: ‘Ndinoziva mabasa ako, une kambiri kokunzi uri mupenyu asi iwe wakafa. Muka usimbaradze zvasara uye zvava pedyo nokufa. Nokuti mabasa ako handina kuaona akakwana pamberi paMwari wangu. Naizvozvo yeuka zvawakagamuchira nezvawakanzwa. Chengeta izvozvo utendeuke. Kana usina kumuka ndichauya sembavha uye haumboziva kuti ndichauya nenguva ipi. Zvakadaro zvazvo uchine mazita mashoma muSadhisi avanhu vasina kusvibisa hanzu dzavo, vachafamba pamwechete neni vakapfeka zvichena nokuti vakakodzera. Uyo anokunda achapfeka saizvozvo hanzu chena uye zita rake mubhuku roupenyu handizoripfudzi. Pamberi pababa vangu napamberi pavatumwa vake, ndichapupurira zita rake kuti ndowedu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.’ “Nyorera mutumwa wesangano rokuFiradhefia. Herino shoko reanoera wechokwadi ane kii yaDhavhidhi anoti akazarura hapana anogona kuzarira wokuti akazarira hakuna anogona kuzarura. Ndinoziva mabasa ako, tarira uone ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usina anogona kuzarira. Ndinoziva kuti unongova nesimba shomanana asi wakachengeta shoko rangu ukasaramba zita rangu. Vesangano raSatani, vanozviti vaJudha asi ivo vasiri, vachireva nhema; ndichaita kuti vauye vachizokugwadamira patsoka dzako vadzidze kuti ndakakuda, nokuti wakachengeta shoko rangu rokutirira, ndichakuchengeta panguva yokuedzwa iri kuuya pasi pose kuzoedza vose vagere panyika. Ndiri kuuya nokukurumidza. Batisisai zvamuinazvo kuti parege kuva nomunhu anokubvutirai chiremba chenyu. Anokunda ndichamuita musimboti muTemberi yaMwari wangu. Haachazobvamo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu uye zita reguta raMwari wangu, Jerusaremu itsva inobva kuna Mwari wangu kudenga, uyewo zita rangu idzva. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano. “Nyorera mutumwa wesangano rokuRaodhekia uti zvanzi naAmeni, “ ‘Iye chapupu chinotendeka chechokwadi, iye mavambo ezvisikwa zvaMwari.’ “Ndinoziva mabasa ako, hautonhori kana kupisa, dai waitotonhora zvako kana kupisa. Asi nokuda kokuti uno rudziirakure usingatonhori kana kupisa ndichakusvipa mukanwa mangu. Nokutika unoti ndiri mupfumi, ndakapfuma, handina chandinoda iwe usingazivi kuti uri rombe rinotonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka. Saizvozvo ndinokubaira zanhi rokuti utenge kwandiri ndarama yakanatswa nomoto kuti uve mupfumi nehanzu chena dzokuti upfeke kuti urege kuonererwa ubunun'unu hwako namafuta okuzora maziso ako kuti uone. Vandinoda ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo ita shungu utendeuke. Tarisa uone ndimire pamusuo ndichigogodza, kana munhu akanzwa izwi rangu akazarura musuo ndichapinda maari ndigodya naye iye achidya neni. Anokunda ndichamuti agare neni pachigaro changu choumambo sokukundawo kwandakaita ini pachangu ndikagarawo naBaba vangu pachigaro chavo choumambo. Ane nzeve ngaanzwe zvinorehwa naMweya kumasangano.” Mushure maizvozvi ndakatarisa onei mudenga mune musuo wakazaruka. Izwi rokutanga riya randakanga ndanzwa richitaura kwandiri sebhosvo rakati, “Kwira kuno ndikuratidze zvichaitika mushure mezvizvi.” Pakarepo ndakanga ndazadzwa naMweya onei chigaro choumambo chakati dzi kumira mudenga nomumwe akanga akagara pachiri. Iye akanga akagara ipapo akanga achipenya sedombo rinokosha rejasipa uye seresadhiso, uye chigaro chacho chakanga, chakatenderedzwa nomuraraungu waiita sedombo reemaradhi. Chigaro choumambo chiya chakanga chakatenderedzwa nezvigaro zvoumambo makumi maviri ane zvina. Pazvigaro izvozvo pakanga pagere, vakuru vakuru makumi maviri ana vana uye vakapfeka hanzu chena nendaza dzendarama pamisoro yavo. Pachigaro choumambo chiya paipenya mheni nokudhiriridza namabhanan'ana. Pamberi pechigaro choumambo paibvira mwenje minomwe yomoto. Iyoyo ndiyo mweya minomwe yaMwari. Pamberi pechigaro ichocho choumambo pakanga paine rinenge gungwa regirazi rakaita sezvimedu zvedombo romusarasara. Kumativi kwose kutenderedza chigaro choumambo ichocho, kwakanga kuine zvisikwa zvina zvizere maziso mberi neshure. Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakaita seshumba; chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakaita semombe; chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chiine uso hwemunhu chisikwa chipenyu chechina chakanga chakaita segondo rinobhururuka. Zvisikwa zvipenyu zvina zviya, chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro matanhatu zvizere maziso kumativi ose mukati nokunze. Siku nesikati hazvaimbomira kuimba zvichiti: “Munoera, munoera, munoera, imi Tenzi Mwari Samasimbaose, makanga muripo, muripo, uyewo muchazovapo.” Zvisikwa zviya zvipenyu pazvaipa mbiri norukudzo nokutenda kuna akanga agare pachigaro choumambo, iye anoramba aripo narini narini, vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya vaiti pasi wareware pamberi paiye akanga agere pachigaro choumambo vachimunamata iye anoramba aripo narini narini. Vaiwarika zviremba zvavo pamberi pechigaro choumambo vachiimba vachiti, “Munokodzera imi Tenzi naMwari wedu kupiwa mbiri norukudzo nesimba nokuti ndimi makasika zvinhu zvose. Kuda kwenyu kuti zvivepo uye kuti zvisikwe.” Zvino ndakaona murudyi mouya akanga agere pachigaro choumambo, bhuku rokumononora rakanyorwa seri neseri rakanamwa nenamo nomwe. Ndakaonawo mutumwa akasimba achidaidzira nezwi guru achiti, “Ndiani anokodzera kuzarura bhuku rokumononora nokukwatanura namo dzaro.” Hapana kana mumwechete, kudenga kana pasi pano kana pasi penyika aigona kuzarura bhuku rokumononora iroro kana kutarisa mukati maro. Ipapo ini ndakachema zvikuru nokuti aikodzera kuzarura bhuku rokumononora iroro kana kutarisa mariri; haana kuwanikwa. Mumwe wavakuru vakuru vaya akati kwandiri, usacheme zvako, inga shumba yedzinza rokwaJudha, Dzinde raDhavhidhi, akakunda, kuti akwanise kuzarura bhuku rokumononora iroro nenamo dzaro nomwe dziya. Ipapo ndakaona Hwayana ichitarisika seyakambouraiwa; yakanga yakamira nechapakati pechigaro choumambo yakatenderedzwa nezvisikwa zvipenyu zvina zviya uye navakuru vakuru vaya. Yakanga iine nyanga nomwe namaziso manomwe. Ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa pasi pose. Yakaenda ikatora bhuku rokumononora murudyi rwaiye akanga agere pachigaro choumambo. Payakatora bhuku rokumononora iroro, zvisikwa zvipenyu zvina zviya navakuru vakuru makumi maviri navana vaya vakati pasi wareware pamberi peHwayana. Mumwe nomumwe aine dimbwa mumaoko nekadhishi kazere rusenzi ndiyo minamato yavatsvene. Vakaimba rumbo rutsva vachiti, “Munokodzera kutora bhuku rokumunonora nokukwatanura namo dzaro nokuti makauraiwa mukanunurira Mwari vanhu kubva kumarudzi ose nendimi dzose navanhu vose nendudzi dzose. Makavaita umambo navapristi vaMwari wedu uye vachatonga pasi.” Ndakazotarisa ndikanzwa kumativi ose kupoteredza chigaro choumambo nezvisikwa zvipenyu zviya navakuru vakuru vaya izwi ravatumwa vazhinji vakawanda zvokuita zviuru nezviuru namazana akazanirana kwazvo; vachiti nezwi guru, “Hwayana yakauraiwa yakakodzera kugamuchira simba roupfumi noungwaru noukuru norukudzo nembiri nechikomborero.” Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri kudenga napasi napasi penyika nomugungwa nazvose zvirimo zvichiti, “Ngaarumbidzwe, narini narini apiwe rukudzo nembiri noukuru iye agere pachigaro choumambo uyewo kuHwayana.” Zvisikwa zvipenyu zvina zviya zvakati, “Ameni,” vakuru vakuru vaya vakabva vati wareware pasi vachinamata. Ndipo pandakaona Hwayana ichikwatanura namo yokutanga, imwe yenamo nomwe dziya. Ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina zviya chichitaura nezwi rinenge mabhanan'ana richiti, “Uya.” Ndakatarisa, onei bhiza jena, mutasvi waro aine uta. Akagadzwa chiremba choumambo. Akabuda ari mukundi ari kundokunda. Paakakwatanura namo yechipiri ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti, “Uya.” Pakabva pabuda rimwe bhiza rakati piriviri kutsvuka. Mutasvi waro akabvumirwa kubvisa rugare panyika. Akapiwa bakatwa guru kuti vanhu vaurayane. Paakakwatanura namo yechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya.” Ndakatarisa onei bhiza dema mutasvi waro aine chikero muchanza. Ndakazonzwa chimwe chainge izwi pakati pezvisikwa zvipenyu zviya chichiti, “Rita yekoroni ndiwo muripo uchapiwa munhu pazuva marita matatu ebhari ndiwo muripo uchapiwa munhu pazuva asi mafuta newaini usazvibate — bate.” Paakakwatanura namo yechina ndakanzwa izwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, “Uya.” Ndakatarisa, onei bhiza rakabhuruvara, zita romutasvi waro rainzi Rufu Nzvimboyorufu ichimutevera mushure. Chikamu chenyika chechina chakaiswa mumaoko avo kuti vauraye vanhu nehondo yebakatwa nenzara nedenda nezvikara zvapasi. Paakakwatanura namo yechishanu, ndakaona pasi peatari mweya yavanhu vakaurairwa shoko raMwari nouchapupu hwavakaita. Vakadaidzira nezwi guru vachiti, “samasimba changamire mutsvene wechokwadi, kuchazova riniko musati matonga nokutsividza ropa redu kuna vavo vanogara panyika?” Mumwe nomumwe wavo akapiwa gemenzi jena, vachiudzwa kuti vambozorora kashoma kusvikira uwandu hwavashandi pamwe navo nehama dzavo vaifanira kuuraiwa saivo hwakwana. Hwayana iya payakakwatanura namo yechitanhatu ndakaona kundengendeka kukuru. Zuva rakasvipa sesaga, mwedzi wejenaguru wakatsvuka ropa. Nyenyedzi dzedenga dzakakuhumukira pasi pano sokudonhedza kunoita muonde muchero wawo wapachando kana wavhuvhutwa nedutu remhepo. Denga rakanyangarika sebhuku rokumunonora ramoneredzwa. Makomo ose nezvitsuwa zvakabviswa panzvimbo dzazvo. Ipapo madzimambo apanyika navakuru vakuru vavanhu navakuru vakuru vehondo navapfumi navakasimba navavo vose vanoti nhapwa navasununguki vakavanda mumapako napasi pamabwe mumakomo. Vaidaidzira kumakomo namabwe vachiti “Tiwirei mutivandise tirege kuonekwa nouyo agere pachigaro choumambo mutihwandise kuhasha dzeHwayana. Nokuti zuva guru rehasha dzavo rauya, pakadaro ndiani angapamire.” Mushure mezvo ndakazoona vatumwa vana vakamira pamativi mana enyika vakadzivirira mhepo ina dzapasi kuti pasave nemhepo inovhuvhuta panyika kana pagungwa kana kuvhuvhuta muti zvawo. Ndipo pandakazoona mumwe mutumwa achikwira mudenga kumabvazuva aine chidhindo chaMwari mupenyu. Akadaidzira nezwi guru kuvatumwa vana vaya vakanga vapiwa simba rokuondonga nyika negungwa achiti, “Musaondonge nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo pahuma dzavaranda vaMwari wedu.” Ndakanzwa uwandu hwavakaiswa mucherechedzo vaiva zviuru zana namakumi mana ane zvina ndivo vakaiswa mucherechedzo mudzinza roga roga ravana vaIsiraeri. Mudzinza rokwaJudha zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaRubheni zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaGadhi zviuru gumi nezviviri. Mudzinza rokwaAsheri zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaNafutari zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaManase zviuru gumi nezviviri. Mudzinza rokwaSimioni zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaRevhi zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaIsakari zviuru gumi nezviviri. Mudzinza rokwaZebhuroni zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaJosefi zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri. Mushure mezvi ndakatarisa ndikaona manyoremanyore avanhu vasingaverengeki, vamarudzi ose, namadzinza ose navanhu vose nendimi dzose vamire pamberi pechigaro choumambo napamberi peHwayana vakapfeka magemenzi machena vaine mirara mumaoko vachidaidzira nezwi guru vachiti, “Ruponeso runobva kuna Mwari wedu agere pachigaro choumambo uye runobva kuHwayana.” Vatumwa vose vakanga vamire vakatenderedza chigaro choumambo vakatenderedzawo vakuru vakuru vaya vakatenderedzawo zvisikwa zvipenyu zvina zviya. Vatumwa vakati kotakota nouso pamberi pechigaro choumambo vachinamata Mwari vachiti, “Ameni. Kurumbidzwa nembiri noungwaru nokutendwa norukudzo noukuru nesimba ngazvive kuna Mwari wedu narini narini Ameni.” Mumwe wavakuru vakuru vaya akanditi, “Ko ava vakapfeka magemenzi machena ndivanani? Uye vabva kupi?” Ndakati kwaari, “Changamire inga ndimi munoziva wani.” Iye akati kwandiri, “Ava ndivo vakabuda mupfumvu huru vakasuka magemenzi avo vakaachenesa muropa reHwayana. Ndokusaka vari pamberi pechigaro choumambo chaMwari vachimushandira siku nesikati muTemberi yake. Iye anogara pachigaro choumambo achavafukidza netendhe rake. Havazonzwi nzara kana kunzwazve nyota zuva harichazovapisizve kana kunzwa kupisa kunobvuraudza nokuti Hwayana iya iri pakati pechigaro choumambo ndiyo ichava mufudzi wavo. Iyo ichavatungamirira kuzvisipiti zvemvura mhenyu. Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.” Hwayana payakakwatanura namo yechinomwe kwakanyararwa kudenga kwehafu yeawa. Ndipo pandakaona vatumwa vanomwe vaya vanomira pamberi paMwari. Vakapiwa mabhosvo manomwe. Mumwe mutumwa akauya akasvikomira kuatari. Akanga aine bisiro rendarama akapiwa rusenzi rwakawanda kuti arusanganise neminamato yavatsvene vose paatari yendarama iya, pamberi pechigaro choumambo. Utsi hwerusenzi hwakakwira pamwechete neminamato yavatsvene ichibva mumaoko omutumwa aiva pamberi paMwari. Mutumwa akazotora bisiro riya akarizadza nomoto waibva paatari akarikanda panyika pakava nokudhiriridza kwemheni namabhanan'ana nokupenya kwemheni nokundengendeka kwapasi. Zvino vatumwa vanomwe vaya vakanga vaina mabhosvo manomwe, vakagadzirira kuaridza. Mutumwa wokutanga akaridza bhosvo rake kukabva kwaita chimvuramahwe nemoto zvakasanganiswa neropa zvainaya panyika. Chikamu chechitatu chenyika chakatsva, chikamu chechitatu chemiti chakatsva uye uswa unyoro hwakatsva. Mutumwa wechipiri akaridza bhosvo rake ndokubva chimwe chinenge gomo guru raibvira moto, chakandwa mugungwa. Chikamu chechitatu chegungwa chakasanduka kuva ropa. Chikamu chechitatu chezvisikwa zvomugungwa chakafa. Chikamu chechitatu chengarava chakaparadzwa. Mutumwa wechitatu akaridzawo bhosvo rake ndokubva nyenyedzi huru yawa kubva kudenga ichipenya sezhenje ikawira pachikamu chetatu chenzizi uye pazvisipiti zvemvura. Zita renyenyedzi iyoyo rainzi Gavakava. Chikamu chechitatu chemvura chakava gavakava kuvava. Vanhu vazhinji vakafa nemvura iyoyo nokuti yakaitwa gavakava kuvava. Mutumwa wechina akaridzawo bhosvo rake chikamu chechitatu chezuva chakarohwa nechikamu chechitatu chemwedzi nechikamu chechitatu chenyenyedzi zvokuti chikamu chechitatu chechiedza chazvo chakaitwa rima. Chikamu chechitatu chamasikati chakarega kuvheneka, ndizvozvo nechikamu chechitatu chousiku. Ndopandakatarisa, onei gondo richichema nezwi guru paraibhururuka mudenga richiti, “Heyo nhamo, heyo nhamo heyo nhamo iyo kune vagere panyika pacharidzwa mamwe mabhosvo anofanira kuridzwa navamwe vatumwa vatatu.” Mutumwa wechishanu akaridza bhosvo rake. Ndakabva ndaona nyenyedzi yakawira pasi kubva kudenga yakanga yapiwa kiyi yeziburi regomba risina parinoperera. Akazarura ziburi riya regomba risina parinoperera. Muziburi iroro makatogoka utsi hunenge hwevira guru romoto. Zuva nomunga'mu zvakabva zvati ndindo kusvipa noutsi hwomuziburi riya. Muhutsi ihwohwo makabuda mhashu panyika dzakapiwa simba rinenge ramarize apanyika. Dzakaudzwa kuti dzisaparadze uswa hwenyika kana chii zvacho chinyoro kana muti zvawo, asi kuti dziparadze vanhu vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo. Dzakabvumirwa kuvaonesa nhamo kwemwedzi mishanu dzisingavaurayi. Kurwadza kwadzo kwaiita sokurwadza kwerize kana raruma munhu. Pamazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu vasingaruwani vachasuwira kufa, asi rufu ruchatiza. Mhashu idzodzo dzakanga dzakaita samabhiza aronganirana hondo. Pamisoro yadzo pakanga paine zvairatidzika sendaza dzendarama. Zviso zvadzo ungati vanhu. Mvere dzadzo ungati ivhudzi ravakadzi, mazino adzo, ungati mazino eshumba chaiwo. Makwakwambi adzo waitoti zvidemautare zvesimbi zvokuzvidzivirira nazvo muhondo. Irwo ruzha rwamapapiro adzo waiti ingoro dzehondo dzina mabhiza ava kumhanyira muhondo dziine miswe inenge yamarize inoruma uye simba radzo rokukuvadza vanhu kwemwedzi mishanu riri mumiswe yadzo iyoyo. Mambo wadzo aiva mutumwa uya wegomba risina parinoperera. Zita rake muchiHebheru rinonzi Abhadhoni muchiGiriki richinzi Aporioni. Nhamo yokutanga ndipo painoperera apa. Dzimwe nhamo mbiri dziri kuuya. Mutumwa wechitanhatu akaridza bhosvo rake ndikanzwa izwi robva kune zvinenge nyanga zvina zviya zvapaatari yendarama iri pamberi paMwari richiti kumutumwa wechitanhatu uya ainge ane bhosvo, “Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru rwaYufuratesi.” Vatumwa vaya vana vakasunungurwa vakanga vakamisirwa nguva nezuva nemwedzi negore rokuuraya naro chikamu chechitatu chavanhu. Varwi vamabhiza vaiva gumi ramazana rakapetwa kaviri rigopetwazve kanosvika gumi ramazana; ndakanzwa uwandu hwavo. Uku ndiko kuona kwandakaita mabhiza iwayo muchiratidzo changu. Vatasvi ivavo vakanga vakapfeka mademautare okuzvidzivirira nawo muhondo oruvara rwomoto nesafaya nesarufa. Misoro yamabhiza iwayo yainge misoro yeshumba, mumiromo yawo muchitogoka moto noutsi nesarufa. Chikamu chechitatu chavanhu chakauraiwa nepfumvu idzodzi nhatu dzomoto noutsi nesarufa zvichibva mumiromo yawo nokuti simba ramabhiza iwayo raiva mumiromo yawo nomumiswe yawo. Miswe yawo yakanga yakaita senyoka ine misoro inokuvadza. Vamwe vanhu vose vakasara vaya, vasina kuuraiwa namatenda iwayo havana kuregera rubatabata rwavo rwuya rwokunamata mweya yakaipa nokunamata zvifananidzo zvendarama nezvesirivha nezvendarira nezvamatombo nezvemiti zvisingakwanisi kuona kana kunzwa kana kufamba. Havana kuregera humhondi hwavo nouroyi hwavo noupombwe hwavo kana umbavha hwavo. Ndakazoona mumwe mutumwa ane simba achibva kudenga akaputirwa negore aine muraraungu pamusoro pake. Uso hwake hwakanga hwakaita sezuva; makumbo ake akanga akaita semisimboti yemoto. Akanga aina kabhuku kokumononora kakazaruka muruoko rwake. Akaisa rutsoka rworudyi rwake pagungwa, rutsoka rwake rworuboshe akaruisa panyika. Akadaidzira nezwi guru seshumba iri kudzvova. Paakadaidzira mheni nomwe dzakabva dzadhiriridza. Pakadhiriridza mheni nomwe dziya ndakanga ndava kuda kunyora, asi ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti, “Ingochengetedza zvataurwa nemheni nomwe usazvinyoreba.” Mutumwa uya wandakaona akamira pagungwa napanyika akasimudzira ruoko rwake kudenga. Akapika naiye anogara narini narini; akasika denga nezvirimo nenyika nezvirimo negungwa nezviri mariri, zvechinono hapachisina. Asi mutumwa wechinomwe, panguva yaacharidza bhosvo rake, Mwari achabva azadzisa zvirongwa zvake zvaakataurira varanda vake vaporofita. Ipapo izwi randakambenge ndanzwa mudenga rakataurazve kwandiri richiti, “Enda undotora bhuku rokumononora rakazaruka riri muruoko rwomutumwa akamira akatsika pagungwa napanyika.” Zvino ndakaenda kumutumwa ndikamuti andipe kabhuku kaya kokumononora. Iye akanditi, “Tora ukadye. Kachavava munhumbu mako, asi iko kachitapira souchi mukanwa mako.” Ndakatora kabhuku kaya mumaoko omutumwa uya ndikakadya. Kaitapira souchi mukanwa mangu, asi pandakanga ndakadya, mudumbu mangu makaita chirungurira. Ndakaudzwa kuti, “Unofanira kuporofita zvakare nezvendudzi dzavanhu vazhinji nezvamarudzi nezvendimi nezvamadzimambo.” Ndakapiwa karutanda kokueresa kanenge mudonzvo ndikanzi, “Simuka uyere Temberi yaMwari neatari uverengewo vanonamatamo. Asi usayere chivanze chiri kunze kweTemberi, siya chakadaro, nokuti chakapiwa kune vechirudzi vachatsikatsika guta rinoera guta rinoera kwemwedzi makumi mana nemiviri. Ndichapawo simba kuzvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite kwamazuva churu namazana maviri ana makumi matanhatu vakapfeka masaga.” Ivava ndivo miorivhi miviri nezvigadzikiro zviviri zvemwenje zviri pamberi patenzi wapasi. Kana munhu akavakuvadza, moto uchabva mukanwa mavo uchiroromesa vavengi vavo. Kana munhu akavakuvadza anouraiwa. Vane simba rokupfiga denga kuti mvura irege kunaya pamazuva ukuporofita kwavo. Vane simba pamusoro pemvura rokuipindura kuva ropa uye rokurova nyika namatenda pavanenge vangodira zvavo. Pavanopedza uchapupu hwavo chikara chiya chinobuda mugomba risina parinoperera chichavarwisa chigovakurira chigovauraya. Zvitunha zvavo zvichati rakata mumugwagwa weguta guru, rinonzi namadimikira, Sodhomu kana kuti Ijipiti makarovererwa Tenzi wavo pamuchinjikwa. Kwamazuva matatu ane chidimbu vanhu vanobva muvanhu vose nomumadzinza nomundimi nomumarudzi vachatarisa zvitunha zvavo vachiramba kuti zvivigwe muguva. Vanogara panyika vachafara vachipembera, vachitopana zvipo nokuti vaporofita vaviri ava vachange vaonesa vagari vapanyika ndondo. Asi mushure memazuva aya matatu ane chidimbu mweya woupenyu unobva kuna Mwari uchavapinda vachizomira namakumbo avo kutya kukuru kuchizowira vanovaona. Vakazonzwa izwi guru richibva kudenga richivati, “Kwirai kuno.” Vakakwira kudenga vari mugore vavengi vavo vakatarisa. Panguva iyo pakava nokundengendeka kukuru chikamu chavanhu chimwechete pazvikamu gumi zvakaenzana chakati rakata pasi. Vanhu vaisvika zviuru zvinomwe vakauraiwa mukundengendeka kwapasi vamwe vose vakabatwa nokutya vakapa mbiri kuna Mwari wedenga. Dambudziko rechipiri ndipo parinoperera pano. Dambudziko rechitatu riri kuuya iye zvino. Mutumwa wechinomwe akaridza bhosvo rake kukava namazwi okudaidzira mudenga aiti, “Umambo hwapasi hwava humambo hwaTenzi naMesia wake. Achatonga narini narini.” Vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya vagere pazvigaro zvavo zvoumambo vakati kota kota nouso pamberi paMwari vachinamata Mwari vachiti, “Tinokutendai Tenzi Mwari Samasimbaose. Imi muripo, makanga muripo kuti makatora ukuru hwenyu mukatangisa kutonga. Vechirudzi vakaita bope asi makavavirukira nehasha uye nguva yokutongwa kwavakafa neyokupa mubayiro kuvaranda venyu, vaporofita navatsvene navanotya zita renyu vakuru navadiki yasvika, nguva yokuparadza mharadzi dzapasi.” Temberi yaMwari yokudenga yakazarurwa Bhokisi rake reChitenderano rakaonekwa muTemberi make pakavaima mheni, pakadhirima, mheni ikadhiriridza pakaita kundengendeka kwapasi nechivhuramahwe chakawanda. Zvino mudenga makaonekwa chiratidzo chinokatyamadza chomudzimai akatenderedzwa nezuva mwedzi uri pasi petsoka dzake, aine ndaza mumusoro yenyenyedzi gumi nembiri. Akanga akazvitakura achichema nokurwadziwa ava kupona achitambudzika pakusununguka. Kwakaonekwa chimwe chiratidzo mudenga chezigaranyanya guru dzvuku rine misoro minomwe negumi renyanga nengundu nomwe pamisoro yaro. Muswe waro wakakumba chikamu chechitatu chenyenyedzi dzedenga ukadzikanda pasi. Zigaranyanya riya rakandomira pamberi pomudzimai akanga ava kuda kusununguka mwana kuti ridye mwana wake paanongomupona. Akasununguka mwana mukomana aizotonga marudzi ose avanhu netsvimbo yesimbi. Mwana akabva anzi hwetu kuendwa naye kuna Mwari nokuchigaro chake choumambo. Mudzimaiwo ndokuti ware kutizira kurenje kune nzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari maaizoriritirwa kwamazuva ane chiuru namazana maviri namakumi matanhatu. Mudenga makamuka hondo Mikaeri navatumwa vake vachirwisa zigaranyanya riya. Zigaranyanya navatumwa varo rakarwisawo. Zigaranyanya navatumwa varo rakakurirwa; pakanga pasisina nzvimbo yavo kudenga. Zigaranyanya guru riya rakakandidzirwa pasi, ndiyo nyoka iya yapasichigare inonzi Dhiabhori kana kuti Satani munyengedzi wapasi pose. Akakandidzirwa pasi; vatumwa vake vakakandidzirwawo pasi pamwechete naye. Ndakazonzwa izwi guru mudenga richiti, “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu noukuru hwaMesia wake zvauya nokuti mupomeri wehama dzedu akakandidzirwa pasi; ndiye uya anovapomera mhosva siku nesikati pamberi paMwari wedu. Vakamukurira neropa reHwayana uye neshoko rokupupura kwavo nokuti vakazvipira upenyu hwavo kusvika pakutofa. Fara iwe denga nemi mugere mariri. Une nhamo iwe nyika negungwa nokuti Dhiabhori aburukira kwauri nehasha huru nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.” Zigaranyanya parakaona kuti rakandidzirwa pasi rakaronda mudzimai uya akanga asununguka mwana mukomana. Asi mudzimai akanga apiwa mapapiro maviri egondo guru kuti abhururukire kugwenga achitiza nyoka iya kunzvimbo yaaizoriritirwa kwamakore matatu ane hafu. Nyoka iya yakawodzvora mvura serwizi ichibva mukanwa mayo yakananga kumudzimai uya kuti imueredze neboporodzi iroro. Asi nyika ndiyo yakazobatsira mudzimai uya. Nyika yakashama muromo wayo ikamedza rwizi rwuya rwakanga rwaodzvorwa nezigaranyanya rwuchibva mumuromo maro. Zigaranyanya rakashatirirwa mudzimai uya ndokuenda kundorwisa vamwe vana vake vose vanochengeta mitemo yaMwari nouchapupu hwavo kuna Jesu. Rakamira pamahombekombe egungwa. Ndakaona chikara chichibuda mugungwa chine nyanga gumi uye chine misoro minomwe nengundu gumi panyanga dziya nezita rokushonha Mwari pamisoro yacho. Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada matsimba acho waiti ndeebere chiine muromo weshumba. Zigaranyanya rakapa simba raro kuchikara ichocho rakachipawo chigaro charo choumambo noukuru hwakakura. Mumwe musoro wacho waiita soune ronda rakaipisisa asi ronda racho rakapora. Pasi pose pakashamiswa nazvo pakatevera chikara ichocho. Vanhu vakagwadama vachinamata zigaranyanya riya nokuti rakanga rapa simba raro kuchikara uye vakagwadama vachinamata chikara chiya vachiti, “Ndiani angaenzaniswe nechikara uye ndiani angarwisane nacho?” Chikara chakabvumirwa kutaura chikataura mazwi okuzvikudza nookushonha Mwari chakabvumirwa kutonga kwemwedzi makumi mana nemiviri. Chakazarura muromo chichitaura mazwi okushonha Mwari Chichishonha zita rake napaanogara zvichireva avo vanogara kudenga. Chakabvumirwa kurwisa vatsvene nokuvakurira; chakapiwa ukuru pamarudzi ose navanhu vose nendimi dzose nendudzi dzose. Vose vanogara panyika vachachigwadamira vachichinamata, vose zvavo vana mazita asina kunyorwa pasi pasati pavapo, mubhuku roupenyu reHwayana yakauraiwa. Ane nzeve ngaanzwe. Anenge achifanira kutapwa anotapwa anouraya munhu nebakatwa, anofanira kuuraiwawo nebakatwa. Ndikoka kutirira uye chitendero chinodiwa pavatsvene. Zvino ndakaona chimwe chikara chakabuda pasi chakanga chiine nyanga mbiri sehwayana uye chaitaura sezigaranyanya. Ichi chaiva namasimba ose echikara chokutanga chichiita kuti pasi navagari vapo vagwadamire vachinamata chikara chokutanga chakanga chiine ronda rakaipisisa rakanga rapora. Chaiita zviratidzo zvinoshamisa zvikuru, kunyange kutozomotsa moto mudenga uchiuya pasi vanhu vakatarisa. Nezvishamiso izvozvo zvachaibvumirwa kuita pamberi pechikara chiya chainyengedza vagari vapasi, chichivati vaite chifananidzo chechikara chakakuvadzwa nebakatwa chiya, asi chikararama. Chakabvumidzwa kupa chifananidzo chechikara chiya mweya unofema zvokuti chifananidzo chechikara chaitogona kutaura. Uye kuti vanenge vasina kugwadama vachinamata chifananidzo chechikara vauraiwe. Uye chinoitawo kuti vose vakuru navaduku, vapfumi navarombo vose vakasununguka navarandawo, vaiswe mucherechedzo paruoko rworwudyi kana pahuma. Zvokuti hapana anogona kutenga kana kutengesa kunze kokunge anomucherechedzo, zvichireva zita rechikara ichocho kana kuti nhamba yezita racho. Pano apa panodiwa ungwaru. Munhu anonzwisisa ngaatsvage azive zvinorehwa nenhamba iyoyo yechikara nokuti ari kurehwa nenhamba iyoyo munhu. Nhamba yacho mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu. Ndakati tarisei ndikaona pagomo reZioni pakamira Hwayana iina vanhu zviuru zana namakumi mana ane zvina vakanga vakanyorwa pahuma dzavo zita rayo nezita raBaba wayo. Ndakanzwa izwi richibva kudenga samapopopo emvura zhinji uye sokudhiriridza kwemheni kukuru. Izwi randakanzwa rainge vanhu vari kuridza madimbwa avo vachiimba rumbo rutsva pamberi pechigaro choumambo pamberiwo pezvisikwa zvipenyu zvina zviya napamberi pavakuru vakuru vaya. Hapana aikwanisa kudzidza rumbo irworwo kunze kwavaya zviuru zana namakumi mana ane zvina vakanunurwa panyika. Ava ndivo vasina kuzvisvibisa navakadzi vakachengeta utsvene hwavo ivava ndivo vanotevera Hwayana kose kwainoenda, ivava ndivo vakanunurwa muvanhu somuchero wokutanga kuna Mwari nokuHwayana. Mumuromo mavo hamuna kumbobuda nhema nokuti havana chinoshoreka pavari. Ndakazoona mumwe mutumwa achibhururuka mudenga aine Shoko Rakanaka rokugara nokugara rokuparidza vanhu vanogara pasi pano munyika dzose, namarudzi ose nendimi dzose navanhu vose. Akadaidzira nezwi guru achiti, “Ityai Mwari mumupe mbiri nokuti nguva yake yokutonga yasvika. Munamatei iye akasika denga napasi negungwa nezvisipiti zvemvura.” Mumwewo mutumwa wechipiri akatevera achiti, “Guta guru reBhabhironi raparara, raparara. Raparara iro rainwisa nyika dzose waini yehavi dzaro dzakaipa.” Mumwezve mutumwa wechitatu akavatevera achiti nezwi guru, “Kana munhu akanamata chikara nechifananidzo chacho achiiswa mucherechedzo pahuma yake kana paruoko rwake, achanwawo waini yehasha dzaMwari inodirwa isina kudirwa mvura mumukombe wehasha dzake. Acharwadziswa nomoto nesarufa pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peHwayana. Utsi hokurwadziwa kwavo hucharamba huchingotogoka kudenga nokusingaperi uye havana zororo siku nesikati, ivava vanonamata chikara nomufananidzo wacho navavo vanogamuchira mucherechedzo nezita racho.” Ndikoka kutirira kunodiwa pavatsvene uku! Vanochengeta mitemo yaMwari nechitendero chaJesu. Ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti, “Nyora izvi zvokuti: ‘Vakakomborerwa vanofira muna Tenzi, kubvira zvino zvichienda mberi.’ “Vakakomborerwa zvechokwadi, ndozvinotaurwa naMweya. Vachazorora pamabasa avo, nokuti zviito zvavo zvinovatevera.” Ndakatarisazve ndokuona gore jena, ndakaona mumwe akanga agere pagore akaita soMwanakomana womunhu aine chiremba chendarama mumusoro nejeko rakapinza muruoko. Mumwe mutumwa akabuda muTemberi achidanidzira nezwi guru kuna uya akanga agere pagore achiti, “Shandisa jeko rako ukohwe nokuti nguva yokukohwa yasvika, kukohwa pasi kwasvika.” Uya akanga agere pagore akavheesa jeko rake panyika nyika ikabva yakohwewa. Mumwezve mutumwa akabuda muTemberi kudenga. Naiyewo akanga aine jeko rinopinza. Mumwe mutumwa akabuda achibva kuatari; aiva nesimba rokutonga zvomoto akadanidzira nezwi guru kuna uya akanga ane jeko rinopinza achiti, “Shandisa jeko rako uunganidze zvisumbu zvamagirepisi apanyika nokuti magirepisi ayo aibva.” Naizvozvo mutumwa akavheesa jeko rake panyika akaunganidza magirepisi apanyika, akaakanda muguvi guru rokusvinira waini rehasha dzaMwari. Muguvi makakanywa kunze kweguta ropa rakapopoma richibva muguvi zvokusvika pamatomhu ebhiza kukwira namazana matatu amakiromita kureba. Ndakazoona chimwe chiratidzo mudenga chikuru chinoshamisa chavatumwa vanomwe vaine pfumvu nomwe dzokupedzesera dzaiva nzira dzaMwari dzokupedzisira dzokuratidza nadzo hasha dzake. Ndakazoona chainge gungwa regirazi rakatsvuka moto navavo vakakurira chikara nechifananidzo chacho nenhamba yezita racho vakamira pedyo negungwa riya regirazi vaine madimbwa aMwari mumaoko. Vakanga vachiimba rumbo rwaMosesi muranda waMwari norumbo rweHwayana vachiti, “Tenzi Mwari Samasimbaose mabasa enyu makuru, anoshamisa, nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi. Imi Mambo wapasi chigare. Ndiani angarege kukutyai nokurumbidza zita renyu Tenzi nokuti imi ndimi munoera marudzi ose achauya ozokugwadamirai achikunamatai nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaoneswa.” Mushure maizvozvi ndakatarisa onei Temberi yeTendhe reChitenderano chokudenga yakazuruka. MuTemberi makabuda vatumwa vanomwe vaya vaine pfumvu nomwe; vakanga vakapfeka hanzu dzerineni yakanakisisa inopenya. Pachipfuwa chavo vakanga vakasunga tambo dzendarama. Chimwe chezvisikwa zvina zvipenyu zviya chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama dzizere nehasha dzaMwari anogara narini narini. Temberi yakazara noutsi huchibva mukupenya kokuvapo kwaMwari nokusimba rake. Hapana aikwanisa kupinda muTemberi kusvikira pfumvu nomwe dzavatumwa vanomwe vaya dzapera. Ndakazonzwa izwi guru richibva muTemberi richiti kuvatumwa vanomwe, “Endai mundodurura panyika ndiro nomwe dzehasha dzaMwari.” Saizvozvo mutumwa wokutanga akaenda akadururira ndiro yake panyika. Vanhu vaya vakanga vaine mucherechedzo wechikara vakagwadama vachinamata chifananidzo chacho, vakaita maronda anonyeka akaipisisa. Mutumwa wechipiri akadururira ndiro yake mugungwa rikaita seropa romunhu afa, zvipenyu zvose zvaiva mugungwa zvikafa. Mutumwa wechitatu akadururira ndiro yake munzizi nomuzvisipiti zvemvura zvikapinduka zvikava ropa. Ndakazonzwa mutumwa anotonga zvemvura achiti, “Imi muri mutsvene kutonga kwenyu kwakarurama imi muripo uye makanga muripo. Vanhu vakadeura ropa ravatsvene neravaporofita imi mukavapa ropa kuti vanwe. Toko waro! Ndomubayiro wavo.” Ndakanzwa izwi kuchema paatari richiti, “Hamuoneka Tenzi Mwari Samasimbaose, kutonga kwenyu ndekwepachokwadi uye kwakarurama.” Mutumwa wechina akadururira ndiro yake pazuva rikabvumirwa kupisa vanhu nomoto. Vanhu vakapiswa nokupisa kunotyisa kwazvo. Vakashonha zita raMwari aiva nesimba pamusoro pepfumvu uye havana kupinduka kuti vamurumbidze. Mutumwa wechishanu akadururira ndiro yake pachigaro choumambo chechikara chiya. Umambo hwacho hwakava murima, vanhu vakazvirumaruma rurimi mukurwadziwa. Vakashonha Mwari wedenga pamusana pokurwadziwa kwavo uye pamusana pamaronda avo asi havana kutendeuka pazviito zvavo. Mutumwa wechitanhatu akadururira ndiro yake parukova rukuru rweYufuratesi mvura yarwo ikabva yapwa kugadzirira madzimambo okumabvazuva nzira. Ndakaonawo mumuromo mezigaranyanya riya nomumuromo mechikara chiya uye nomumuromo womuporofita wenhema muchibuda mweya mitatu yakaipa yakaita samatatya. Iyoyi mweya yakaipa inoita zvishamiso inofamba nenyika yose kumadzimambo apasi pano ichivakokorodzera hondo yapazuva guru raMwari Samasimbaose. “Tarisai muone ndichauya sembavha; akakomborerwa munhu anenge akasvinura, achichengeta hanzu dzake kuti arege kufamba akadaro ari mutwi achionererwa.” Mweya iyoyo ichaunganidza madzimambo aya kunzvimbo inonzi Amagedhoni muchiHebheru. Mutumwa wechinomwe akadururira ndiro yake mumhepo, izwi guru rikabva muTemberi pachigaro choumambo richiti, “Zvaitika!” Mheni yakavaima kukadhiriridza, kukaita mabhanan'ana kukava nokundengendeka kwapasi kusati kwamboitika kubvira kuvapo kwavanhu panyika. Hakusi kukura ikoko kokundengendeka kwacho. Guta guru riya rakabva rakamurwa muzvikamu zvitatu maguta evechirudzi akaparara. Mwari haana kukanganwa guta guru reBhabhironi kuti rinofanira kunwa mukombe wehasha dzake huru. Zvitsuwa zvose zvakatiza, kana makomowo akanyangarika. Chivhuramahwe chairema makirogiramu makumi mana anamashanu chakawira vanhu chichibva mudenga kusvikira vanhu vashonha Mwari pamusana pepfumvu yechivhuramahwe, hakusi kutyisa ikoko kwepfumvu iyoyo. Zvino mumwe wavatuma vanomwe vaya vakanga vane ndiro nomwe, akauya akanditi, “Uya ndikuratidze chirango chichatemerwa chifeve chembiri chiya chigere pamvura zhinji chakaitwa ufeve nacho namadzimambo apanyika chine waini youfeve yakararadzisa vagari vapanyika.” Ndiina Mweya mandiri akaenda neni kugwenga ndikaona mukadzi akatasva pachikara chitsvuku chakanga chazara namazita okushonha Mwari chakanga chiine misoro minomwe nenyanga gumi. Mukadzi iyeyo akanga akapfeka hanzu dzinokosha dzoruvara rwohute norutsvuku akashongedzwa nendarama, nezvishongo zvinokosha namatombo anokosha amapera akabata kapu yendarama izere zvisingadiwi naMwari nezvakan'ora zvoufeve hwake. Pahuma pake pakanga pakanyorwa zita rakavandika rokuti, “BHABHIRONI GUTA GURU, ZIMAI REPFAMBI uye ZIMAI REZVISINGADIWI NAMWARI PASI POSE.” Uye ndakaona mukadzi uya akararadza neropa ravatsvene uye neropa rezvapupu zvakafira Jesu. Pandakamuona ndakashamiswa kwazvo. Asi mutumwa akati kwandiri, “Ko uri kushamiswa nei? Rega ndikutaurire zvakavandika zvomukadzi uyu uye nezvechikara chine misoro minomwe nenyanga gumi chinomutakura. Chikara chawakaona chaivapo iye zvino hachisisipo chichabuda mugomba risina parinoperera chichindoparadzwa. Vanhu, panyika, vasina kunyorwa mazita avo mubhuku roupenyu pasi pasati pavapo, vachashamiswa vachiona chikara chiya, kuti chaimbovapo zvino hachichisipo asi chichavapozve. Izvi zvinoda munhu anofunga anoungwaru. Misoro minomwe zvikomo zvinomwe zvakagarwa nomukadzi; uyewo kune madzimambo manomwe. Vashanu vavo vakatofa. Mumwe wavo ndiye ari kutonga mumwe haasati atouya asi kana auya achatonga kwechinguvana. Chikara chiya chakanga chiripo asi chisisipo ndiye mambo wechisere. Asi ari pamwechete navanomwe vaya; bva achaparadzwa. “Nyanga gumi dzawaona, madzimambo gumi vasati vagadzwa umambo asi vachapiwa simba roumambo kweawa imwechete pamwechete nechikara chiya. Vane mweya wechirwirangwe uye vakapa simba ravo noukuru hwavo kuchikara. Vacharwisa Hwayana asi Hwayana ichavakurira nokuti ndiTenzi wavanatenzi naMambo wamadzimambo. Uye vaainavo vanhu vakadanwa vakasarudzwa uye vakatendeka.” Mutumwa akanditi, “Mvura yawaona panga pagere chifeve chiya, vanhu nemhomho yavanhu namarudzi nendimi. Nyanga gumi dzawaona, idzo nechikara zvichavenga chifeve chiya. Zvichachitorera zvose zvachinazvo zvichichisiya chisina kupfeka chinhu. Zvichadya nyama yacho zvichachipisa nomoto nokuti Mwari akaisa mumwoyo yavo pfungwa yokuti vaite zvaanoda nomwoyo mumwechete nokupa umambo hwavo kuchikara nokuombera vachiteerera chikara kusvikira mashoko aMwari azadzikiswa. Mukadzi wawaona ndiro guta guru rinotonga madzimambo apasi pano.” Mushure maizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achibva kudenga ane simba guru rokutonga, pasi pakapenyeswa nembiri yake. Akadaidzira nezwi guru achiti, “Raparara, raparara Bhabhironi guta guru rava musha wemweya yakaipa; rava dambiro remweya yose yakan'ora nechirugu cheshiri dzose dzakan'ora necheshiri dzisingadiwi navanhu. Ndudzi dzose dzakanwa waini yehavi dzaro dzakaipa, madzimambo ose akaita upombwe naro. Vashambadzi vapasi vakapfumiswa noupfumi nounzenza hwaro.” Ndakanzwazve rimwe izwi richibva kudenga richiti, “Budai mariri vanhu vangu. Mungadaro mukazoitawo zvitadzo zvaro mukapinda mupfumvu dzaro nokuti zvitadzo zvaro zvakaita murwi unosvika kudenga. Mwari akayeuka huipi hwaro. Achariitira zvarakaitirawo vamwe achiridzorera kakapetwa, zviito zvaro. Riitirei zvarakakuitirai muridzorere kakapetwa zviito zvaro muripe waini inokaripa zvakapetwa kaviri. Rionesei nhamo murirwadzise zvakaenzana nembiri namafaro arakazvipa. Zvarinozviti nechomumwoyo, ‘Ndigere zvangu samambokadzi, handisi chirikadzi, kuchema handimbofa ndakachema.’ Pfumvu dzaro dzichariwira nezuva rimwechete, dzinoti rufu, kuchema rufu, neshangwa yenzara uye richapiswa nomoto nokuti Mwari anoritonga ane simba guru.” Madzimambo apanyika akaita upombwe nounzenza naro vacharichema vachiungudza pavachaona kutogoka utsi hwokutsva kwaro. Vachamira kure uko nokutya matambudziko aro vachiti, “Maiwe! Maiwe! Nhaiwe guta guru, iwe guta rakasimba, Bhabhironi zvakuwana neawa imwechete.” Veshawo dzokutengeserana vapanyika vanorichema vachiungudza nokuti hapana achatenga zvinhu zvavo; zvinhu zvavo izvi zvinoti: ndarama nesirivha nezvishongo namapera kwoti machira erineni yakanakisisa neeruvara rwohute neesirika namatsvuku, kwouya mapuranga anonhuwirira akasiyana — siyana, kozouya mhando nemhando yezvinhu zvakavezwa nenyanga dzenzou; kozoti zvinhu zvakagadzirwa nemiti inokosha zvakaitwa nendarira nesimbi kana namatombo anokosha; kuchizoti chinamoni, netwekubikisa tunonhuwirira; kotiwo rusenzi nemura norusenzi rune kakunhuwirira kakanakisa kwazvo; kuchizouya waini namafuta noupfu hwekoroni hwakatsetseka uye nekoroni kuchiuyawo mombe nehwai namabhiza nengoro dzehondo ndokuchizouyawo nhapwa zvichireva vanhu. Vanoti zvawaida kuwana namafaro ako zvakusiya, hudobori hwako namafaro ako zvakupesa hauchambozviwanazve. Veshawo dzokutengeserana ivava vakawana upfumi mariri vachamira kure uko nokutya nokuoneswa nhamo kwaro vacharichema vachiungudza zvinonzwika vachiti, “Maiwe! Maiwe guta guru kudai rakanga rakapfeka rineni yakanakisisa nehanzu dzoruvara rwohute netsvuku rakashongedzwa nendarama nezvishongo namapera.” Neawa imwechete, upfumi hwose uhu hwaparara. Vatungamiriri vengarava navanhu vanofamba nzendo nengarava navafambisi vengarava navose vanoshava mari vachishandisa nyanza, vakamira kure uko, vakachema zvinonzwisa tsitsi pavakaona utsi hwokutsva kwaro. “Nderipi guta ringaenzaniswe neguta iri guru?” Vakazvidira ivhu mumusoro vachichema vachiungudza vachiridza mhere vachiti, “Maiwe! Maiwe guta guru kudai rakapfumisa vose vaiva nengarava munyanza, neawa imwechete raparara. Imi matenga nemi vatsvene nemi vapositori nemi vaporofita ritii, ‘Tsvatu waro.’ Itii nomufaro kwariri, ‘Tsvatu waro.’ Nokuti Mwari akaripa chirango pamusoro pezvarakakuitirai.” Mutumwa ane simba guru akatora dombo rakakura seguyo akarikanda mugungwa achiti, “Ndiko kukundwa zvine utsinye kuchaitwa Bhabhironi guta guru marisingazombowanikwazve.” Mumhanzi wevemadimbwa newavaimbi newevenyere newevemabhosvo hauchazombonzwiki mauri uyewo mhizha youmhizha hupi zvaho, hauchazombowanikwamo uyezve mauri hamuchazombonzwika ruzha rwokukuya. Kana mwenje werambi hauchabvirazve mauri. Mauri hamuchazombonzwikazve izwi romukuwasha kana romuroora nokuti veshawo dzokutengeserana vako vanga vari madzichangamire apanyika. Marudzi ose akanyengedzwa nouroyi hwako. Mariri makawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene neravose vakauraiwa pasi pano. Mushure maizvozvi ndakanzwa izwi guru rainge remhomho huru yavanhu mudenga vachidaidzira vachiti, “Areruya! Ruponeso nembiri nesimba ndezvaMwari wedu. Kutonga kwake kuri pachokwadi uye kwakarurama. Akatonga chifeve chikuru chiya chakaodza pasi noupombwe hwacho akatsividza pachiri ropa ravaranda vake.” Vakadaidzirazve vachiti, “Areruya! Utsi hwaro heko kutogoka nokusingaperi.” Vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya nezvisikwa zvipenyu zvina zviya zvakati pasi kota kota zvichinamata Mwari agere pachigaro choumambo zvichiti, “Ameni. Areruya!” Pakanzwika izwi richibva pachigaro choumambo richidaidzira richiti, “Rumbidzai Mwari wedu imi mose varanda vake nemi vanomutya, vakuru navadiki.” Ndakazonzwa chainge izwi remhomho yavanhu richinge ruzha rwemvura zhinji uye sokudhiriridza kwemheni ine simba richidaidzira richiti, “Areruya! Nokuti Tenzi Mwari wedu Samasimbaose anotonga. Ngatipemberei tichifara timuwanise mbiri nokuti muchato wehwayana wasvika uye mwenga azvigadzirira. Akabvumidzwa kupfeka jira jena rakachena rerineni rakanakisisa jena. Jira rerineni yakanakisisa ndiwo mabasa akarurama avatsvene.” Mutumwa akati kwandiri, “Nyora izvi zvokuti, ‘Vakakomborerwa zvavo vakakokwa kuchirariro chomuchato weHwayana.’ Akanditizve, ‘Aya mazwi chaiwoiwo aMwari.’ ” Ipapo ndakabva ndati pasi gwadagwa patsoka dzake ndichimupfugamira. Asi iye akanditi, “Rega kudaro, ini ndiri mushandipamwe newe uye ndiri mushandipamwe nehama dzako dzino uchapupu hwaJesu. Mwari ndiye waunofanira kupfugamira uchimunamata; uchapupu hwaJesu ndiwo mweya unavaporofita.” Zvino ndipo pandakaona denga razarurwa ndikaona bhiza jena. Akanga akaritasva ainzi Kutendeka uye Chokwadi anotonga noururami uye anorwa hondo. Maziso ake akaita serimi romoto pamusoro wake pane ngundu dzakawanda uye akanga ane zita rakanyorwa risingazivikanwi nani zvake asi iye oga. Akanga akapfeka gemenzi rakanyikwa muropa zita raanodaidzwa naro rinonzi, “Shokoramwari.” Hondo dzokudenga dzakanga dzakarongana dzakapfeka jira jena rakachena rerineni yakanakisisa; dzaimutevera dzakatasva mabhiza machena. Mumuromo make makabuda bakatwa rinopinza rokukurira naro marudzi. Achavatonga netsvimbo yesimbi; achakanya waini muguvi rewaini rehasha dzaMwari Samasimbaose. Pagemenzi rake napachidya chake akanyorwa zita rokuti, “Mambowamadzimambo naShewamadzishe.” Ndakazoona mutumwa akamira muzuva akadaidzira nezwi guru kushiri dzose dzinobhururuka muchadenga achiti, “Uyai muunganire chirariro chikuru chaMwari, uyai muungane mudye chirariro chezvitunha zvamadzimambo nezvitunha zvavatungamiri vehondo nezvitunha zvamagamba nezvitunha zvamabhiza nezvavatasvi vawo nezvitunha zvavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vakuru navaduku.” Ndakaonawo chikara chiya naMadzimambo apasi nehondo dzavo vaungana kurwa hondo naiye akanga akatasva pabhiza uye nehondo yake. Chikara chiya chakabatwa pamwechete nomuporofita wenhema uya akaita zviratidzo pamberi pacho zvaakanyengedza nazvo vaya vaiva nomucherechedzo wechikara navaya vainamata chifananidzo chacho. Muporofita uya akakandwa ari mupenyu mudziva rinobvira moto wesarufa pamwechete nechikara chiya. Vamwe vose vakauraiwa nebakatwa romutasvi webhiza raibuda mumuromo make uye shiri dzose dzichatozvimbirwa zvadzo nenyama yavo. Ndakazoona mumwe mutumwa achiburuka kudenga akabata muruoko rwake kiyi yegomba risina parinoperera nengetani huru. Akabata zigaranyanya riya, zinyoka rapasichigare riya rinonzi Dhiabhori kana kuti Satani ndokumusunga kwamakore ane chiuru ndokumukanda mugomba riya. Akarizarira ndokumunamiriramo kuti aregezve kunyengedza marudzi kusvikira makore ane chiuru aya apera. Mushure maizvozvo anofanira kumbosunungurwa kwenguva diki. Zvino ndakazoona zvigaro zvoumambo. Vakanga vagere pazviri ndivo vakapiwa simba rokutonga uye ndakaonawo mweya yavavo vakanga vadimburwa musoro pamusana pokupupurira kwavo Jesu uye pamusana peshoko raMwari uye pamusana pokuti havana kunamata chikara kana kunamata chifananidzo chacho kana kuiswa mucherechedzo wacho pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakamukazve vakatonga naKristu kwechiuru chamakore. Vamwe vafi vose havana kumuka kusvikira chiuru chamakore chiya chapera, uku ndiko kumuka muvafi kokutanga. Akakomborerwa zvake uye mutsvene munhu uyo anenge ari mumwe waavo vapakumuka kokutanga ikoko. Pane vakadai, rufu rwechipiri haruna simba asi vachava vapristi vaMwari naKristu, vachatonga naiye kwechiuru chamakore. Panopera chiuru chamakore Satani achasunungurwa mujeri rake. Achabuda kundonyengedza marudzi ari kumativi mana enyika, Ndivo vana Gogu nanaMagogu achavaunganidzira kurwa hondo vakawanda sejecha regungwa. Vachafamba nenyika yose, vakakomberedza musasa wavatsvene neguta rapamwoyo asi moto uchatozomoka mudenga uchivaroromesa. Dhiabhori akanga avanyengedza achakandwa muzidziva romoto nesarufa mune chikara chiya nomuporofita wenhema uya, vachaoneswa nhamo siku nesikati narini narini. Ndakazoona chigaro chikuru chichena choumambo naiye akanga agerepo. Nyika nedenga zvakatiza kubva paari zvakabva zvava zvinhu pasina. Ndopandakazoona vafi, vakuru navaduku vakamira pamberi pechigaro choumambo. Mabhuku akazarurwa. Kwakazarurwawo rimwe bhuku. Iroro ndiro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvakanga zvakanyorwa mumabhuku iwayo zvichifambirana nezvavakanga vaita. Gungwa rakaburitsa vakafa vaiva mariri. Rufu nenzvimbo yavafi zvakaburitsawo vakafa vakanga vari mazviri; vose vakatongwa maererano nezvavakanga vaita. Rufu nenzvimbo yorufu zvakakandwa muzidziva romoto. Urwu ndirwo rufu rwechipiri; dziva romoto. Kana zita romunhu rikashaikwa risina kunyorwa mubhuku iroro roupenyu, munhu iyeyo anokandwa mudziva riya romoto. Ipapo ndipo pandakazoona denga idzva nenyika itsva nokuti denga rakare nenyika yakare zvakanga zvapfuura uye gungwa pakanga pasisina. Ndakazoona guta dzvene Jerusaremu idzva richiburuka mudenga richibva kuna Mwari rakagadzirirwa semwenga, mwenga akashongedzerwa murume wake. Ndakanzwa izwi guru richibva pachigaro choumambo richiti, “Tarisai muone kuti Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu. Achagara navo; ivo vachava vanhu vake iyewo Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo. Rufu haruchazovapozve, hapachazova nokuungudza kana kuchema kana kurwadziwazve, nokuti zvinhu zvakare zvinenge zvapfuura.” Uya akanga agere pachigaro choumambo akati, “Tarisai muone ndava kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.” Uya akanditi, “Zvaitika. Ndini Arifa naOmega ndini mavambo namagumo ezvinhu kune vane nyota ndichavapa mvura pasina muripo ichibva mukasipiti kemvura youpenyu. Uyo anokunda achawana mugove wenhaka yezvinhu izvi ini ndichava Mwari wake iye achivawo mwana wangu. Asi mbwende, navanohedhuka navakapara zvitadzo nemhondi nemhombwe navaroyi, navanamati vezvinhu zvisiri Mwari, navarevi venhema, chavo ivo zidziva riya rinobvira moto nesarufa. Ndirwo rufu rwechipiri.” Ndipo pakazouya mumwe wavatumwa vanomwe vaya vakanga vane ndiro nomwe dzakanga dzizere pfumvu nomwe dzokupedzisira. Akati kwandiri, “Uya ndikuratidze mwenga, mudzimai weHwayana.” Ndiina Mweya, akanditakura akaenda neni kuGomo refurefu akandiratidza guta dzvene reJerusaremu richiburuka richibva mudenga, richibva kuna Mwari riine kupenya kokuvapo kwaMwari. Rain'aima sechishongo chinokosha kwazvo uye seemeradhi rakachena sezvimedu zvedombo romusarasara. Rakanga riine rusvingo rukuru rwakareba kuenda mudenga ruine misuo mikuru gumi nemiviri. Pamisuo mikuru iyoyo paiva navatumwa gumi navaviri. Pamisuo mikuru iyoyo pakanga pakanyorwa mazita amadzinza gumi namaviri avaIsiraeri. Kumabvazuva kwaiva nemisuo mikuru mitatu; kuchamhembe kuine misuo mikuru mitatu; kumaodzanyemba kuine misuo mikuru mitatu kumadokerowo kuine misuo mikuru mitatu. Rusvingo rweguta iroro rwakanga ruina matombo ohugaro gumi namaviri. Paugaro ipapo pakanga pakanyorwa mazita gumi namaviri avapositori veHwayana. Uyo aitaura neni akanga aino rutanda rwendarama rwokueresa guta iroro nemisuo mikuru yaro namasvingo arwo. Guta iroro raiva namativi mana akaenzana. Urefu hwaro hwakanga hwakaenzana noupamhi hwaro. Akaera urefu hweguta norutanda rwake hukaita makiromita zviuru zviviri zvina mazana maviri urefu hwaro noupamhi hwaro nokukwira kwaro mudenga zvakanga zvakaenzana. Akaerawo rusvingo rwaro rukaita mamita makumi matanhatu ana mashanu namaerero anoita vanhu asi iye ari mutumwa aiera. Rusvingo irworwo rwakanga rwakavakwa namatombo ejasipa. Iro guta riri rendarama yoga yoga rakachena segirazi. Ugaro hwerusvingo rweguta iroro hwakanga hwakashongedzwa nezvishongo zvemhando nemhando. Chishongo chokutanga chakanga chiri chejasipa chechipiri chiri chesafaya chechitatu chiri cheagati chechina chiri cheemeradhi chechishanu chiri cheonikisi chechitanhatu chiri chekaneriani chechinomwe chiri chekirisoriti chechisere chiri cheberi chechipfumbamwe chiri chetopazi chegumi chiri chekirisopurasi chegumi nechimwe chiri chejasindi chegumi nechipiri chiri cheemetisiti. Misuo mikuru gumi nemiviri iya yakanga iri yamapera gumi namaviri. Suo guru rimwe nerimwe rakaitwa nePera rimwechete. Migwagwa yeguta iroro yakanga iri yendarama yakanakisisa inoonekera segirazi. Asi handina kuona Temberi muguta iroro nokuti Temberi yaro ndiTenzi Mwari, Samasimbaose neHwayana. Guta iroro haridi zuva kana mwedzi zvokurivhenekera nazvo nokuti kupenya kokuvapo kwaMwari ndicho chiedza charo, Hwayana iri iyo rambi rayo. Marudzi ose achafamba achivhenekerwa nechiedza charo uye madzimambo apasi achauisa mariri zvinovapa mbiri. Misuo yaro mikuru haichazombopfigwa masikati uye hakuzombovi nousiku ikoko. Vachaunzamo mariri zvinhu zvinopa marudzi mbiri nomukurumbira. Hakuna chakan'ora chichapinda mariri kana ani zvake anoita zvisingadiwi naMwari kana anonyengedza kusiya chete vakanyorwa mubhuku roupenyu reHwayana. Zvino mutumwa akazondiratidza rwizi rwemvura youpenyu yakachena sezvimedu zvedombo romusarasara rwuchierera ruchibva pachigaro choumambo chaMwari necheHwayana napakati pomugwagwa weguta. Kumativi ose erwizi, kwaiva nomuti woupenyu unobereka muchero gumi nakaviri uchibereka muchero mwedzi woga woga; mashizha awo anorapa ndudzi dzavanhu. Hapachazovapo nokurengererwa rushambwa asi chigaro chaMwari choumambo necheHwayana zvichava muguta iroro; varanda vake vachamugwadamira vachimunamata. Vachaona uso hwake uye zita rake richava pahuma dzavo. Hapachazovazve nousiku, havazoda kuvhenekerwa nomwenje kana nezuva; nokuti Tenzi Mwari ndiye achava chiedza chavo uye vachatonga narini narini wose. Mutumwa akati kwandiri, “Mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi Tenzi Mwari wemweya yavaporofita akatuma mutumwa wake kuti azoratidza varanda vake zvichaitika zvino uno.” “Chinzwa ndiri kuuya nokukurumidza. Akakomborerwa zvake anochengeta mazwi okuporofita ebhuku rino. Ini Johani ndini iye ndakanzwa ndikaona zvinhu izvi.” Pandakazvinzwa nokuzviona, ndakati pasi gwadagwa kupfugamira patsoka dzomutumwa akandiratidza zvinhu izvi. Asi iye akanditi, “Usadaro, ini ndiri mushandipamwe newe uye pamwe navaporofita, hama dzako navanochengeta mazwi ebhuku rino iri. Mwari ndiye waunofanira kugwadamira uchinamata.” Akatizve kwandiri, “Usavige mazwi okuporofita aya, nokuti nguva yavakutosvika. Muiti wezvakaipa angangoita zvake zvakaipa wetsvina angangorambawo zvake achiita zvetsvina izvozvo; woururami achiitawo zvake zvakarurama nomutsvene achiitawo zvoutsvene. “Asi ndiri kuuya nokukurumidza ndakatakura mubayiro wangu kuti ndizopa munhu wose zvakaenzanirana nezvaakaita. Ndini Arifa naOmega ndini wokutanga nowokupedzisira ndini mavambo namagumo ezvinhu. “Vakakomborerwa vanogeza magemenzi avo kuti vave nemvumo yokudya muti woupenyu uye kuti vave nemvumo yokupinda napamisuo mikuru yeguta. Kunze uku kunenge kuine imbwa dzavanhu navaroyi nemhombwe nemhondi navanamati vezvinhu zvisiri Mwari navanofarira uye vanoita zvamanyepo. Ini Jesu ndini ndatumira mutumwa wangu kwamuri nouchapupu uhu kumasangano. Ndini dzinde nebukira raDhavhidhi ndini hweva yamangwanani.” Mweya nemwenga vanoti, “Uya.” Anenge azvinzwa ngaati, “Uya.” Anenge ane nyota ngaauye; anoda ngaatore zvake mvura youpenyu pasina muripo. Ndinoyambira munhu wose anonzwa mazwi okuporofita omubhuku rino. Munhu anoawedzera, Mwari achamuwedzerawo pfumvu dzakatsanangurwa mubhuku rino. Munhu anobvisawo mamwe mazwi okuporofita uku Mwari achabvisa mugove wake uri mumuti woupenyu nomugove wake muguta dzvene zvinotsanangurwa mubhuku rino iri. Iye ari kutaura zvinhu izvi anoti, “Chokwadi ndiri kuuya zvino uno.” Ameni uyai Tenzi Jesu. Chikomborero chokuitirwa nyasha naTenzi wedu Jesu ngachive navanhu vose. Ameni.